Facebook
From TBS, 2 Weeks ago, written in Plain Text.
This paste is a reply to KJV from TBS - view diff
Embed
Download Paste or View Raw
Hits: 122
  1. Gen 1:1 Pakutanga Mwari wakasika matenga nenyika.
  2. Gen 1:2 Nyika yaiva isina chimiro isina chinhu, uye rima raiva pamusoro peudziku; uye Mweya waMwari waindeya pachiso chemvura.
  3. Gen 1:3 Mwari ndokuti: Ngakuve nechiedza; chiedza ndokuvapo.
  4. Gen 1:4 Zvino Mwari wakaona chiedza kuti chakanaka; Mwari ndokuparadzanisa pakati pechiedza nepakati perima.
  5. Gen 1:5 Mwari ndokutumidza chiedza kuti masikati, nerima wakatumidza kuti usiku. Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.
  6. Gen 1:6 Zvino Mwari wakati: Ngakuve nechadenga pakati pemvura; uye ngachiparadzanise pakati pemvura nemvura.
  7. Gen 1:7 Zvino Mwari wakaita chadenga, ndokuparadzanisa pakati pemvura yaiva pasi pechadenga nepakati pemvura yaiva pamusoro pechadenga; ndokuva saizvozvo.
  8. Gen 1:8 Mwari ndokutumidza chadenga kuti matenga. Madekwani ndokuvapo, nemangwanani akavapo, zuva repiri.
  9. Gen 1:9 Zvino Mwari wakati: Mvura iri pasi pematenga ngaiunganidzwe panzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaonekwe; ndokuva saizvozvo.
  10. Gen 1:10 Mwari ndokutumidza pasi pakaoma kuti nyika; nekumuunganidzwa wemvura wakatumidza kuti makungwa. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.
  11. Gen 1:11 Zvino Mwari wakati: Nyika ngaimerese uswa unyoro, muriwo unobereka mbeu, muti wemuchero unoita muchero unoenderana nerudzi rwawo, mbeu yawo iri mukati mawo, panyika; ndokuva saizvozvo.
  12. Gen 1:12 Zvino nyika ikameresa uswa unyoro, muriwo unobereka mbeu inoenderana nerudzi rwawo, nemuti unopa muchero, mbeu yawo iri mukati mawo, unoenderana nemarudzi awo. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.
  13. Gen 1:13 Madekwani ndokuvapo, nemangwanani akavapo, zuva retatu.
  14. Gen 1:14 Mwari ndokuti: Ngakuve nezviedza pachadenga chematenga, kuparadzanisa masikati neusiku; uye zvive zviratidzo nenguva yakatarwa, nemazuva nemakore.
  15. Gen 1:15 Zvino ngazvive zviedza muchadenga chematenga, kuti zvivhenekere panyika. Ndokuva saizvozvo.
  16. Gen 1:16 Zvino Mwari wakaita zviedza zvikuru zviviri: Chiedza chikuru kuti chitonge masikati, nechiedza chidiki kuti chitonge usiku, nenyeredzi.
  17. Gen 1:17 Mwari ndokuzvipa kuchadenga chematenga, kuti zvivhenekere panyika,
  18. Gen 1:18 uye zvitonge pamasikati nepausiku, nekuparadzanisa chiedza nerima. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.
  19. Gen 1:19 Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rechina.
  20. Gen 1:20 Mwari ndokuti: Mvura ngaizare nekupfakanyika kwemweya mipenyu, uye ngakubhururuke shiri pamusoro penyika muchadenga chematenga.
  21. Gen 1:21 Mwari ndokusika mabukanana egungwa, nemweya mupenyu upi neupi unokambaira, mvura zvaizere nazvo, zvinoenderana nerudzi rwazvo, neshiri ipi neipi ine bapiro, inoenderana nerudzi rwayo. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.
  22. Gen 1:22 Zvino Mwari wakazviropafadza achiti: Berekai, uye wandai, uye zadzai mvura mumakungwa; neshiri ngaiwande panyika.
  23. Gen 1:23 Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva reshanu.
  24. Gen 1:24 Mwari ndokuti: Nyika ngaibudise mweya mupenyu unoenderana nerudzi rwawo, chipfuwo, nechinokambaira, nemhuka yenyika, inoenderana nerudzi rwayo. Ndokuva saizvozvo.
  25. Gen 1:25 Mwari ndokuita mhuka yenyika maererano nerudzi rwayo, nechipfuwo maererano nerudzi rwacho, nechose chinokambaira panyika maererano nerudzi rwacho. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.
  26. Gen 1:26 Mwari ndokuti: Ngatiite vanhu nemufananidzo wedu, vakatodzana nesu; uye ngavatonge pamusoro pehove yegungwa, nepamusoro peshiri yematenga, nepamusoro pechipfuwo, nepamusoro penyika yose, nepamusoro pechose chinokambaira, chinokambaira panyika.
  27. Gen 1:27 Mwari ndokusika munhu nemufananidzo wake; akamusika nemufananidzo waMwari, wakavasika murume nemukadzi.
  28. Gen 1:28 Zvino Mwari wakavaropafadza, Mwari ndokuti kwavari: Berekai, uye wandai, uye zadzai nyika uye muiise pasi penyu; mutongewo pamusoro pehove yegungwa nepamusoro peshiri yematenga nepamusoro pechipenyu chose chinokambaira pamusoro penyika.
  29. Gen 1:29 Mwari ndokuti: Tarirai, ndakupai muriwo umwe neumwe unobereka mbeu, uri pachiso chenyika yose, nemuti umwe neumwe une muchero wemuti unobereka mbeu; kwamuri ndewechekudya.
  30. Gen 1:30 Uye kumhuka imwe neimwe yenyika, nekushiri yose yematenga, nekune chipi nechipi chinokambaira panyika, mune mweya mupenyu machiri, muriwo upi neupi munyoro ndewekudya. Ndokuva saizvozvo.
  31. Gen 1:31 Zvino Mwari wakaona zvose zvaakaita; zvino tarira, zvakanaka kwazvo. Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva retanhatu.
  32. Gen 2:1 Saizvozvo matenga nenyika zvakapera, nehondo yazvo yose.
  33. Gen 2:2 Zvino Mwari wakapedza nezuva rechinomwe basa rake raakaita; ndokuzorora nezuva rechinomwe pabasa rake rose raaiva aita.
  34. Gen 2:3 Mwari ndokuropafadza zuva rechinomwe, ndokuriita dzvene; nokuti mariri wakazorora pabasa rake rose, Mwari raaiva aita pakusika.
  35. Gen 2:4 Ndiwo marudzi ematenga neenyika pakusikwa kwazvo, pazuva Jehovha Mwari raakaita nyika nematenga,
  36. Gen 2:5 negwenzi rimwe nerimwe remunda risati ravapo panyika, nemuriwo umwe neumwe wenyika usati wamera; nokuti Jehovha Mwari waiva asati anaisa panyika, uye kwaiva kusina munhu kurima ivhu.
  37. Gen 2:6 Asi kwaisimuka mhute kubva pasi, ndokunyorovesa chiso chose chevhu.
  38. Gen 2:7 Zvino Jehovha Mwari wakaumba munhu neguruva kubva muvhu, ndokufemera mumhino dzake mweya weupenyu; munhu ndokuva mweya mupenyu.
  39. Gen 2:8 Jehovha Mwari ndokusima bindu muEdheni kumabvazuva, ndokuisapo munhu waaiva aumba.
  40. Gen 2:9 Zvino Jehovha Mwari wakameresa kubva muvhu muti umwe neumwe unofadza kuona uye wakanakira kudya; uye muti weupenyu pakati pebindu, nemuti weruzivo rwechakanaka nechakaipa.
  41. Gen 2:10 Zvino rwizi rwakabuda muEdheni kudiridza bindu; uye kubva ipapo rwakaparadzaniswa ndokuva misoro mina.
  42. Gen 2:11 Zita rerwekutanga ndiPishoni; ndirwo rwunopoteredza nyika yose yeHavhira, pane goridhe.
  43. Gen 2:12 Uye goridhe renyika iyoyo rakanaka; pane bhedhora neibwe reonikisi.
  44. Gen 2:13 Nezita rerwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo rwunopoteredza nyika yose yeKushi.
  45. Gen 2:14 Nezita rerwizi rwechitatu ndiHedhekeri; ndirwo rwunoyerera kumabvazuva kweAsiriya. Uye rwizi rwechina ndiFurati.
  46. Gen 2:15 Zvino Jehovha Mwari wakatora munhu, ndokumuunza mubindu reEdheni, kuti aririme nekurichengeta.
  47. Gen 2:16 Zvino Jehovha Mwari wakaraira munhu achiti: Pamuti umwe neumwe webindu ungadya uchidya,
  48. Gen 2:17 asi pamuti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, usadya pauri; nokuti nezuva rekuudya kwako, uchafa uchifa.
  49. Gen 2:18 Jehovha Mwari ndokuti: Hazvina kunaka kuti munhu ave oga. Ndichamuitira mubatsiri anoenderana naye.
  50. Gen 2:19 Zvino Jehovha Mwari wakaumba kubva muvhu mhuka imwe neimwe yenyika neshiri imwe neimwe yematenga ndokuunza kuna Adhamu kuti aone kuti angadzitumidza kuti chii, uye chimwe nechimwe Adhamu chaakatumidza mweya mupenyu, ndiro rakava zita racho.
  51. Gen 2:20 Zvino Adhamu akadana mazita kuchipfuwo chose nekushiri yematenga, nekumhuka imwe neimwe yepanyika; asi kuna Adhamu hakuna kuwanikwa mubatsiri anoenderana naye.
  52. Gen 2:21 Zvino Jehovha Mwari wakawisira hope huru pamusoro paAdhamu, ndokurara; zvino wakatora rumwe rwembabvu dzake, ndokudzivira nyama panzvimbo yarwo.
  53. Gen 2:22 Zvino Jehovha Mwari wakavaka rumbabvu rwaakatora pamunhu rwuve mukadzi, ndokumuunza kumunhu.
  54. Gen 2:23 Adhamu ndokuti: Ikozvino uyu ipfupa remapfupa angu, nenyama yenyama yangu; achanzi mukadzi, nokuti wakatorwa pamurume.
  55. Gen 2:24 Naizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, anamatire kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
  56. Gen 2:25 Zvino vari vaviri vaiva vakashama, munhu nemukadzi wake, uye havana kunyara.
  57. Gen 3:1 Zvino nyoka yaiva ine unyengeri kupfuura mhuka yose yenyika Jehovha Mwari yaaiva aita. Ndokuti kumukadzi: Nhai ndizvo here kuti Mwari wakati: Musadya pamuti umwe neumwe webindu?
  58. Gen 3:2 Mukadzi ndokuti kunyoka: Tingadya pamuchero wemiti yebindu;
  59. Gen 3:3 asi pamuchero wemuti uri pakati pebindu, Mwari wakati: Musadya pauri, uye musaubata, zvimwe mufe.
  60. Gen 3:4 Nyoka ndokuti kumukadzi: Hamufi zvirokwazvo.
  61. Gen 3:5 Nokuti Mwari anoziva kuti nezuva ramunodya pauri, meso enyu achasvinudzwa, uye muve saMwari, muchiziva chakanaka nechakaipa.
  62. Gen 3:6 Zvino mukadzi wakati achiona kuti muti wakanakira kuva chekudya, uye kuti unofadza pameso, uye muti unodikanwa kuchenjedza, wakatora zvemuchero wawo, ndokudya, ndokupawo kumurume wake pamwe naye, akadyawo.
  63. Gen 3:7 Zvino meso avo vari vaviri akasvinudzwa, ndokuziva kuti vakashama; ndokusonanidza mashizha emuonde, vakazviitira mafasikoto.
  64. Gen 3:8 Zvino vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mubindu pakutonhorera kwezuva; Adhamu nemukadzi wake ndokuzvivanza pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yebindu.
  65. Gen 3:9 Jehovha Mwari ndokudana kuna Adhamu, ndokuti kwaari: Uripi?
  66. Gen 3:10 Iye ndokuti: Inzwi renyu ndarinzwa mumunda ndokutya, nokuti ndakashama, ndokuzvivanza.
  67. Gen 3:11 Zvino wakati: Ndiani wakuudza kuti wakashama? Wadya kanhi zvemuti wandakakuraira kuti usadya pauri?
  68. Gen 3:12 Adhamu ndokuti: Mukadzi wamakapa kuti ave neni, iye wandipa zvemuti, zvino ndikadya.
  69. Gen 3:13 Zvino Jehovha Mwari wakati kumukadzi: Chii ichi chawaita? Mukadzi ndokuti: Nyoka yandinyengera, zvino ndikadya.
  70. Gen 3:14 Zvino Jehovha Mwari wakati kunyoka: Nokuti waita izvi, iwe watukwa kupfuura chipfuwo chose uye kupfuura mhuka yose yepanyika. Nedumbu rako uchafamba, uye guruva uchadya mazuva ose eupenyu hwako.
  71. Gen 3:15 Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake; iyo ichakupwanya musoro, newe uchaipwanya chitsitsinho.
  72. Gen 3:16 Kumukadzi wakati: Nekupamhidzira ndichapamhidzira kurwadziwa kwako uye kubata mimba kwako; mukurwadziwa uchabereka vana; nechishuvo chako chichava kumurume wako, uye iye achakutonga.
  73. Gen 3:17 Zvino kuna Adhamu wakati: Nokuti wateerera kuinzwi remukadzi wako, ndokudya pamuti wandakakuraira nezvawo ndichiti: Usadya pauri; pasi patukwa nemhosva yako; nekutambudzika uchadya pairi mazuva ose eupenyu hwako.
  74. Gen 3:18 Zvino ichakumerera minzwa nevubayambeva, uye uchadya muriwo wepanyika.
  75. Gen 3:19 Neziya rechiso chako uchadya chekudya, kusvika wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Nokuti uri guruva, uye uchadzokera kuguruva.
  76. Gen 3:20 Zvino Adhamu wakatumidza zita remukadzi wake kuti Evha; nokuti ndiye mai vevapenyu vose.
  77. Gen 3:21 Zvino Jehovha Mwari wakaitira Adhamu nemukadzi wake nguvo refu dzematehwe, ndokuvapfekedza.
  78. Gen 3:22 Zvino Jehovha Mwari wakati: Tarira, munhu ava seumwe wedu, achiziva chakanaka nechakaipa; zvino ikozvino zvimwe atandavadze ruoko rwake akatorawo pamuti weupenyu, ndokudya, ndokurarama nekusingaperi.
  79. Gen 3:23 Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
  80. Gen 3:24 Zvino akadzinga munhu; ndokuisa makerubhi kurutivi rwemabvazuva rwebindu reEdheni, nemurazvo wemunondo waizvitenderedza kumativi ose, kurinda nzira yemuti weupenyu.
  81. Gen 4:1 Zvino Adhamu wakaziva Evha mukadzi wake; ndokubata mimba, ndokubereka Kaini, ndokuti: Ndawana murume kubva kuna Jehovha.
  82. Gen 4:2 Zvino wakaberekazve munin’ina wake Abhero. Abhero ndokuva mufudzi wemakwai, Kaini ndokuva murimi wevhu.
  83. Gen 4:3 Zvino zvakaitika pakuguma kwemazuva, kuti Kaini wakaunza zvechibereko chevhu chive chipo kuna Jehovha.
  84. Gen 4:4 NaAbhero, iyewo wakaunza zvematangwe emakwai ake neakakora awo. Jehovha ndokutarira Abhero nechipo chake.
  85. Gen 4:5 Asi kuna Kaini nekuchipo chake haana kutarira. Zvino Kaini wakatsamwa kwazvo, chiso chake chikasuruvara.
  86. Gen 4:6 Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Watsamwirei? Uye chiso chako chakasuruvara nei?
  87. Gen 4:7 Kana uchiita zvakanaka hachingasimudzirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakagarira pamusuwo, nechishuvo chake chiri kwauri, uye iwe uchamutonga.
  88. Gen 4:8 Zvino Kaini wakataura naAbhero munin’ina wake; zvino zvakaitika vari kusango kuti Kaini wakamukira Abhero munin’ina wake ndokumuuraya.
  89. Gen 4:9 Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Aripi Abhero munin’ina wako? Iye ndokuti: Handizivi; ndini muchengeti wemunin’ina wangu here?
  90. Gen 4:10 Zvino wakati: Waitei? Inzwi reropa remunin’ina wako rinodaidzira kwandiri kubva pasi.
  91. Gen 4:11 Zvino ikozvino watukwa kubva panyika iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa remunin’ina wako kubva paruoko rwako.
  92. Gen 4:12 Kana uchirima ivhu, harichakupi simba raro; uchava mumbeyi nemudzungairi panyika.
  93. Gen 4:13 Zvino Kaini wakati kuna Jehovha: Murango wangu mukurusa kutakura.
  94. Gen 4:14 Tarirai, mandidzinga nhasi pachiso chenyika, uye ndichavanziwa pachiso chenyu; uye ndichava mumbeyi nemudzungairi panyika; uye zvichaitika kuti ani nani anondiwana achandiuraya.
  95. Gen 4:15 Zvino Jehovha wakati kwaari: Naizvozvo ani nani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisa mucherechedzo pana Kaini, zvimwe ani nani anomuwana angamuuraya.
  96. Gen 4:16 Zvino Kaini wakabuda kubva pachiso chaJehovha ndokunogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
  97. Gen 4:17 Zvino Kaini wakaziva mukadzi wake; iye ndokubata mimba, ndokubereka Enoki; ndokuvaka guta, ndokutumidza zita reguta nezita remwanakomana wake Enoki.
  98. Gen 4:18 Enoki ndokuberekerwa Iradhi; Iradhi ndokubereka Mehujaeri; Mehujaeri ndokubereka Metushaeri; Metushaeri ndokubereka Rameki.
  99. Gen 4:19 Zvino Rameki wakazvitorera vakadzi vaviri. Zita rewekutanga Adha, uye zita reumwe Zira.
  100. Gen 4:20 Zvino Adha wakabereka Jabhari; iye waiva baba veavo vanogara mumatende uye vane zvipfuwo.
  101. Gen 4:21 Zvino zita remunin’ina wake raiva Jubhari. Iye waiva baba vewose ane chekuita nembira nenyere.
  102. Gen 4:22 Zira ndokuberekawo Tubhari-Kaini, mupfuri wechose chinocheka chendarira nedare. Nehanzvadzi yaTubhari-Kaini yaiva Naama.
  103. Gen 4:23 Zvino Rameki wakati kuvakadzi vake: Adha naZira, inzwai inzwi rangu, vakadzi vaRameki, teererai kutaura kwangu; nokuti ndauraya munhu nekuda kweronda rangu, nejaya nekuda kweshamhu yangu.
  104. Gen 4:24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.
  105. Gen 4:25 Zvino Adhamu akazivazve mukadzi wake, iye ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Seti; nokuti wakati: Mwari wandiitira imwe mbeu pachinzvimbo chaAbhero, nokuti Kaini waiva amuuraya.
  106. Gen 4:26 NaSeti wakaberekerwawo mwanakomana, ndokutumidza zita rake Enosi. Nenguva iyo vakatanga kudana zita raJehovha.
  107. Gen 5:1 Iri ibhuku rerudzi rwaAdhamu. Pazuva Mwari raakasika munhu, wakamuita nemufananidzo waMwari.
  108. Gen 5:2 Wakavasika murume nemukadzi, ndokuvaropafadza, ndokutumidza zita ravo kuti munhu, pazuva ravakasikwa.
  109. Gen 5:3 Zvino Adhamu wakararama makore zana nemakumi matatu; ndokubereka mwanakomana maererano nemufananidzo wake, wakamutodza; ndokutumidza zita rake Seti.
  110. Gen 5:4 Zvino mazuva aAdhamu shure kwekubereka kwake Seti aiva makore mazana masere; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  111. Gen 5:5 Zvino mazuva ose aAdhamu aakararama aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi matatu, ndokufa.
  112. Gen 5:6 Zvino Seti wakararama makore zana nemakore mashanu, ndokubereka Enosi.
  113. Gen 5:7 Seti ndokurarama shure kwekubereka kwake Enosi makore mazana masere nemakore manomwe; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  114. Gen 5:8 Zvino ose mazuva aSeti aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore gumi nemaviri; ndokufa.
  115. Gen 5:9 Zvino Enosi wakararama makore makumi mapfumbamwe, ndokubereka Kenani.
  116. Gen 5:10 Zvino Enosi wakararama shure kwekubereka kwake Kenani makore mazana masere nemakore gumi nemashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  117. Gen 5:11 Zvino ose mazuva aEnosi aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore mashanu, ndokufa.
  118. Gen 5:12 Zvino Kenani wakararama makore makumi manomwe, ndokubereka Mahararieri.
  119. Gen 5:13 Kenani ndokurarama shure kwekubereka kwake Mahararieri makore mazana masere nemakore makumi mana; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  120. Gen 5:14 Nemazuva ose aKenani aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore gumi, ndokufa.
  121. Gen 5:15 Zvino Mahararieri wakararama makore makumi matanhatu nemakore mashanu, ndokubereka Jaredhi.
  122. Gen 5:16 Mahararieri ndokurarama shure kwekubereka kwake Jaredhi makore mazana masere nemakore makumi matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  123. Gen 5:17 Zvino ose mazuva aMahararieri aiva makore mazana masere nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu; ndokufa.
  124. Gen 5:18 Zvino Jaredhi wakararama makore zana nemakore makumi matanhatu nemaviri, ndokubereka Enoki.
  125. Gen 5:19 Jaredhi ndokurarama shure kwekubereka kwake Enoki makore mazana masere; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  126. Gen 5:20 Zvino ose mazuva aJaredhi aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi matanhatu nemaviri; ndokufa.
  127. Gen 5:21 Zvino Enoki wakararama makore makumi matanhatu nemashanu, ndokubereka Metusera.
  128. Gen 5:22 Zvino Enoki wakafamba naMwari shure kwekubereka kwake Metusera makore mazana matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  129. Gen 5:23 Nemazuva ose aEnoki aiva makore mazana matatu nemakore makumi matanhatu nemashanu.
  130. Gen 5:24 Enoki ndokufamba naMwari; uye haachipo, nokuti Mwari wakamutora.
  131. Gen 5:25 Zvino Metusera wakararama makore zana nemakore makumi masere nemanomwe, ndokubereka Rameki.
  132. Gen 5:26 Zvino Metusera wakararama shure kwekubereka kwake Rameki makore mazana manomwe nemakumi masere nemaviri; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  133. Gen 5:27 Zvino ose mazuva aMetusera aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi matanhatu nemapfumbamwe; ndokufa.
  134. Gen 5:28 Rameki ndokurarama makore zana nemakore makumi masere nemaviri; ndokubereka mwanakomana.
  135. Gen 5:29 Zvino wakatumidza zita rake kuti Nowa, achiti: Uyu achatinyaradza maererano nebasa redu nemaererano nekushingaira kwemaoko edu, nekuda kwepasi Jehovha paakatuka.
  136. Gen 5:30 Zvino Rameki wakararama shure kwekubereka kwake Nowa, makore mazana mashanu nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  137. Gen 5:31 Uye mazuva ose aRameki aiva makore mazana manomwe nemakore makumi manomwe nemanomwe; ndokufa.
  138. Gen 5:32 Zvino Nowa waiva wemakore mazana mashanu, Nowa ndokubereka Shemu, Hamu naJafeti.
  139. Gen 6:1 Zvino zvakaitika vanhu vatanga kuwanda pachiso chenyika, ndokuberekerwa vakunda,
  140. Gen 6:2 vanakomana vaMwari vakaona vakunda vevanhu kuti vakanaka, ndokuzvitorera vakadzi pane vose vavakasarudza.
  141. Gen 6:3 Zvino Jehovha wakati: Mweya wangu haungarwisani nemunhu nekusingaperi, nokuti iye inyamawo; asi mazuva ake achava makore zana nemakumi maviri.
  142. Gen 6:4 Vanhu vakasimba vaivako pamazuva awo panyika, nepashurewo paizvozvo, apo vanakomana vaMwari vakapinda kuvakunda vevanhu, ivo ndokuvaberekera. Ndivo vaiva magamba ekare, varume vemukurumbira.
  143. Gen 6:5 Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwemunhu kukuru panyika, nemurangariro umwe neumwe wemifungo yemoyo wake waiva wakaipa chete zuva rose.
  144. Gen 6:6 Jehovha ndokuzvidemba kuti waiva aita munhu panyika, akashungurudzika pamoyo wake.
  145. Gen 6:7 Jehovha ndokuti: Ndichaparadza munhu wandakasika kubva pachiso chenyika, kubva kumunhu kusvika kumhuka, kusvika kune chinokambaira, uye kusvika kushiri yematenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.
  146. Gen 6:8 Asi Nowa wakawana nyasha pameso paJehovha.
  147. Gen 6:9 Awa marudzi aNowa. Nowa waiva murume wakarurama, wakaperedzerwa pamazera ake; Nowa wakafamba naMwari.
  148. Gen 6:10 Nowa ndokubereka vanakomana vatatu: Shemu, Hamu naJafeti.
  149. Gen 6:11 Nyikawo yaiva yakaora pamberi paMwari, uye nyika yaiva izere neutsinye.
  150. Gen 6:12 Mwari ndokuona nyika, zvino tarira, yakaodzwa; nokuti nyama yose yakaodza nzira yayo panyika.
  151. Gen 6:13 Mwari ndokuti kuna Nowa: Kupera kwenyama yose kwasvika pamberi pangu, nokuti nyika izere neutsinye kubudikidza navo; zvino tarira, ndichavaparadza pamwe nenyika.
  152. Gen 6:14 Zviitire areka nematanda emugoferi; uite makamuri muareka, uye uiname mukati nekunze netara.
  153. Gen 6:15 Zvino iyi inzira yauchaiita nayo: Makubhiti mazana matatu kureba kweareka, makubhiti makumi mashanu upamhi hwayo, uye makubhiti makumi matatu kukwirira kwayo.
  154. Gen 6:16 Hwindo uchariita paareka; uye uripedze rive kubhiti kubva kumusoro, nemusuwo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine mitanhu, wepasi, wepiri, newetatu.
  155. Gen 6:17 Zvino ini, tarira, ndinounza panyika mafashame emvura, kuparadza nyama yose ine mweya weupenyu mairi, kubva pasi pematenga; chose chiri panyika chichapera.
  156. Gen 6:18 Asi ndichasimbisa sungano yangu newe; uye uchapinda muareka, iwe nevanakomana vako nemukadzi wako nevakadzi vevanakomana vako vanewe.
  157. Gen 6:19 Nepachipenyu chose, panyama yose, uise muareka zviviri parudzi rumwe nerumwe, uchengete zvirarame zvinewe; zvichava mukono nehadzi.
  158. Gen 6:20 Pashiri nerudzi rwayo, nepazvipfuwo nerudzi rwazvo, nepachinokambaira chimwe nechimwe chepasi nerudzi rwacho, zvichauya kwauri zviviri parudzi rumwe nerumwe, kuti uchengete zviri zvipenyu.
  159. Gen 6:21 Newe, uzvitorere pakudya kose kunodyiwa, uzviunganidzire kwauri; uye zvichava kudya kwako nekwazvo.
  160. Gen 6:22 Nowa ndokuita saizvozvo; maererano nezvose Mwari zvaaiva amuraira, wakaita saizvozvo.
  161. Gen 7:1 Zvino Jehovha wakati kuna Nowa: Pinda iwe neimba yako yose muareka, nokuti iwe ndaona wakarurama pamberi pangu pazera iri.
  162. Gen 7:2 Pamhuka yose yakachena uchazvitorera nomwe-nomwe, mukono nehadzi yayo; nepamhuka isina kuchena mbiri, mukono nehadzi yayo.
  163. Gen 7:3 Nepashiri yematenga nomwe-nomwe, mukono nehadzi, kuchengetedza mbeu iri mhenyu pachiso chenyika yose.
  164. Gen 7:4 Nokuti kuchine mazuva manomwe, ndichanaisa mvura panyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana, uye ndiparadze chinhu chose chandakaita kubva pachiso chenyika.
  165. Gen 7:5 Zvino Nowa wakaita sezvose Jehovha zvaakamuraira.
  166. Gen 7:6 Zvino Nowa waiva wemakore mazana matanhatu apo mafashame emvura ari pamusoro penyika.
  167. Gen 7:7 Nowa ndokupinda, nevanakomana vake nemukadzi wake nevakadzi vevanakomana vake vanaye muareka, nekuda kwemvura zhinji yemafashame.
  168. Gen 7:8 Pamhuka dzakachena, nepamhuka dzisina kuchena, nepashiri, nepachimwe nechimwe chinokambaira pamusoro penyika,
  169. Gen 7:9 zviviri-zviviri zvakauya kuna Nowa muareka, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Nowa.
  170. Gen 7:10 Zvino zvakaitika shure kwemazuva manomwe, kuti mvura zhinji yemafashame yakava pamusoro penyika.
  171. Gen 7:11 Mugore remazana matanhatu reupenyu hwaNowa, mumwedzi wechipiri, pazuva regumi nemanomwe remwedzi, nezuva iri zvitubu zvose zvepakadzika-dzika zvakadzuturwa, nemahwindo emafashame ematenga akazarurwa.
  172. Gen 7:12 Zvino mvura yakava pamusoro penyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana.
  173. Gen 7:13 Nezuva iri rakadaro wakapinda Nowa naShemu naHamu naJafeti, vanakomana vaNowa, nemukadzi waNowa, nevakadzi vatatu vevanakomana vake vanaye muareka;
  174. Gen 7:14 ivo, nemhuka imwe neimwe nerudzi rwayo, nechipfuwo chose nerudzi rwacho, nechinokambaira chose chinokambaira panyika nerudzi rwacho, nechinobhururuka chose nerudzi rwacho, shiri imwe neimwe yebapiro rimwe nerimwe.
  175. Gen 7:15 Zvino zvakapinda kuna Nowa muareka, zviviri-zviviri zvenyama yose mairi mune mweya weupenyu.
  176. Gen 7:16 Zvino zvakapinda, kwakapinda mukono nehadzi panyama yose, Mwari sezvaakamuraira. Jehovha akamupfigira.
  177. Gen 7:17 Zvino mafashame akava panyika mazuva makumi mana; mvura ndokuwanda, ndokusimudza areka, zvino ikasimuka pamusoro penyika.
  178. Gen 7:18 Mvura ndokusimba, ndokuwanda kwazvo pamusoro penyika; areka ndokufamba pamusoro pechiso chemvura.
  179. Gen 7:19 Zvino mvura yakasimba zvikurusa panyika, makomo marefu ose ari pasi pematenga ose ndokufukidzwa.
  180. Gen 7:20 Makubhiti gumi nemashanu mvura yakasimba ichikwira, makomo ndokufukidzwa.
  181. Gen 7:21 Nenyama yose yaifamba pamusoro penyika yakapera, pashiri nepachipfuwo nepamhuka nepachose chinokambaira, chinokambaira pamusoro penyika, nemunhu wose.
  182. Gen 7:22 Chose chine kufema kwemweya weupenyu mumhino dzacho, pachose chaiva chiri pakaoma pasi, chakafa.
  183. Gen 7:23 Kwakaparadzwa chose chaivapo, chaiva pachiso chepasi, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo, kusvika kune chinokambaira, uye kusvika kushiri yematenga, ndokuparadzwa panyika. Nowa oga ndokusara, nezvaiva naye muareka.
  184. Gen 7:24 Mvura ndokusimba pamusoro penyika mazuva zana nemakumi mashanu.
  185. Gen 8:1 Zvino Mwari wakarangarira Nowa, nechose chinorarama, nechipfuwo chose chaiva naye muareka. Mwari ndokupfuudza mhepo panyika, mvura ndokuserera.
  186. Gen 8:2 Zvino kwakadzivirwa zvitubu zvepakadzika nemahwindo emafashame ematenga, nemvura yakabva kumatenga ikadziviswa.
  187. Gen 8:3 Mvura ndokudzoka kubva panyika, ichienda nekudzoka, mvura ndokuderera pakupera kwemazuva zana nemakumi mashanu.
  188. Gen 8:4 Zvino areka yakagara mumwedzi wechinomwe, nezuva regumi nemanomwe remwedzi, pamusoro pemakomo eArarati.
  189. Gen 8:5 Mvura ndokuenda ichiderera kusvika pamwedzi wegumi; newegumi, nezuva rekutanga remwedzi kwakaonekwa misoro yemakomo.
  190. Gen 8:6 Zvino zvikaitika pakupera kwemazuva makumi mana, kuti Nowa wakazarura hwindo reareka raaiva aita,
  191. Gen 8:7 ndokutuma gunguwo, iro rakabuda, ndokubuda richidzoka kusvika mvura yapwa kubva panyika.
  192. Gen 8:8 Akatumawo njiva kubva kwaari, kuona kana mvura yaserera kubva pachiso chenyika;
  193. Gen 8:9 asi njiva haina kuwana zororo repasi perutsoka rwayo, ndokudzokera kwaari muareka, nokuti mvura yaiva pamusoro pechiso chenyika yose; ndokutandavadza ruoko rwake ndokuitora, ndokuipinza kwaari muareka.
  194. Gen 8:10 Zvino wakarindirazve amwe mazuva manomwe; ndokutumazve njiva kubva muareka.
  195. Gen 8:11 Zvino njiva yakapinda kwaari panguva yemadekwani, zvino tarira, shizha remuorivhi richangotanhwa riri pamuromo payo; naizvozvo Nowa wakaziva kuti mvura yaiva yaserera kubva panyika.
  196. Gen 8:12 Zvino wakarindirazve amwe mazuva manomwe; ndokutuma njiva; iyo haina kudzokera zvekarezve kwaari.
  197. Gen 8:13 Zvino zvakaitika mugore remazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wekutanga, nemusi wekutanga wemwedzi, mvura yakapwa pamusoro penyika; Nowa ndokubvisa chifukidzo cheareka, ndokuona, zvino tarira, chiso chenyika chakaoma.
  198. Gen 8:14 Zvino nemwedzi wechipiri, nezuva remakumi maviri nemanomwe remwedzi, nyika yaiva yaoma.
  199. Gen 8:15 Zvino Mwari wakataura kuna Nowa achiti:
  200. Gen 8:16 Buda muareka, iwe nemukadzi wako nevanakomana vako nevakadzi vevanakomana vako pamwe newe.
  201. Gen 8:17 Chose chinorarama chinewe, panyama yose, yeshiri neyechipfuwo neyechose chinokambaira, chinokambaira panyika, buda nacho; kuti chizvare panyika, chibereke, chiwande pamusoro penyika.
  202. Gen 8:18 Zvino Nowa wakabuda, nevanakomana vake, nemukadzi wake, nevakadzi vevanakomana vake pamwe naye.
  203. Gen 8:19 Mhuka imwe neimwe, chose chinokambaira, neshiri imwe neimwe, chipi nechipi chinokambaira panyika, nemarudzi azvo, zvakabuda muareka.
  204. Gen 8:20 Zvino Nowa wakavakira Jehovha aritari; akatora pamhuka imwe neimwe yakachena nepashiri imwe neimwe yakachena, akapa zvipo zvinopiswa paaritari.
  205. Gen 8:21 Jehovha ndokunzwa kunhuhwira kunotapira, Jehovha ndokuti mumoyo make: Handichatukizve nyika nekuda kwemunhu, nokuti kufunga kwemoyo wemunhu kwakaipa kubva paudiki hwake; uye handichazorovizve chipenyu chose sezvandaita.
  206. Gen 8:22 Kana mazuva enyika achiripo, kudzvara nekukohwa, nekutonhora nekudziya, nezhizha nechando, nemasikati neusiku hazvingagumi.
  207. Gen 9:1 Zvino Mwari wakaropafadza Nowa nevanakomana vake, ndokuti kwavari: Berekai mugowanda mugozadza nyika.
  208. Gen 9:2 Nekutyiwa kwenyu nekudederwa kwenyu kuchava pamhuka imwe neimwe yenyika nepamusoro peshiri imwe neimwe yematenga; pachose chinonanaira pasi, nepahove dzose dzegungwa; zvakapiwa paruoko rwenyu.
  209. Gen 9:3 Choga-choga chinokambaira, chipenyu chichava kudya kwenyu; semiriwo mitema, ndakupai zvose.
  210. Gen 9:4 Asi nyama ine upenyu hwayo, ropa rayo, musadya.
  211. Gen 9:5 Zvino zvirokwazvo, ropa renyu reupenyu hwenyu ndicharitsvaka; paruoko rwechipenyu chipi nechipi ndicharitsvaka, neparuoko rwemunhu, paruoko rwehama yeumwe neumwe ndichatsvaka upenyu hwemunhu.
  212. Gen 9:6 Anoteura ropa remunhu, nemunhu richateurwa ropa rake; nokuti nemufananidzo waMwari iye wakaita munhu.
  213. Gen 9:7 Zvino imwi berekai, mugowanda, zvarai zvikuru panyika, muwande mairi.
  214. Gen 9:8 Zvino Mwari wakataura kuna Nowa nekuvanakomana vake pamwe naye, achiti:
  215. Gen 9:9 Zvino ini, tarirai, ndinosimbisa sungano yangu nemwi, uye nembeu yenyu shure kwenyu;
  216. Gen 9:10 uye nemweya mupenyu umwe neumwe unemwi, weshiri, wechipfuwo, newemhuka ipi neipi yenyika inemwi; kubva pazvose zvinobuda paareka, kumhuka ipi neipi yepanyika.
  217. Gen 9:11 Uye ndichasimbisa sungano yangu nemwi; nenyama yose haingazopedzwizve nemvura yemafashame; nemafashame haangazovipozve kuti aparadze nyika.
  218. Gen 9:12 Zvino Mwari wakati: Ichi chiratidzo chesungano chandinopa pakati pangu nemwi nemweya mupenyu wose unemwi kusvika kumazera asingaperi.
  219. Gen 9:13 Ndinodzika murarabungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
  220. Gen 9:14 Zvino zvichaitika kana ndikaunza gore pamusoro penyika, kuti murarabungu uchaonekwa mugore.
  221. Gen 9:15 Ipapo ndicharangarira sungano yangu, iri pakati pangu nemwi nemweya mupenyu wose wenyama yose; nemvura haichazovi mafashame kuti iparadze nyama yose.
  222. Gen 9:16 Zvino murarabungu uchava mumakore, uye ndichauona, kuti ndirangarire sungano yekusingaperi pakati paMwari nemweya mupenyu umwe neumwe wenyama yose iri panyika.
  223. Gen 9:17 Zvino Mwari wakati kuna Nowa: Ichi chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nenyama yose iri panyika.
  224. Gen 9:18 Zvino vanakomana vaNowa vakabuda muareka vaiva Shemu naHamu naJafeti; uye Hamu ndiye baba vaKenani.
  225. Gen 9:19 Ava vatatu vanakomana vaNowa, nyika yose yakapararira nevakabva kwavari.
  226. Gen 9:20 Zvino Nowa wakatanga kuva murimi, ndokusima munda wemizambiringa.
  227. Gen 9:21 Zvino wakanwa zvewaini, ndokuraradza, akava wakashama mukati metende rake.
  228. Gen 9:22 Zvino Hamu baba vaKenani wakaona kushama kwababa vake, ndokuudza vanakomana vamai vake vaviri panze.
  229. Gen 9:23 Zvino Shemu naJafeti vakatora nguvo, ndokuiisa pamafudzi avo vari vaviri, ndokuenda chinhembeshure, ndokufukidza kushama kwababa vavo; uye zviso zvavo zvaiva zvakatarira shure, kuti vasaona kushama kwababa vavo.
  230. Gen 9:24 Zvino Nowa wakamuka kubva pawaini yake, ndokuziva mwanakomana wake mudiki zvaakamuitira.
  231. Gen 9:25 Zvino wakati: Ngaatukwe Kenani; achava muranda wevaranda kuvanakomana vamai vake.
  232. Gen 9:26 Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari waShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.
  233. Gen 9:27 Mwari ngaakurise Jafeti, uye ngaagare mumatende aShemu, naKenani ngaave muranda wake.
  234. Gen 9:28 Zvino Nowa wakararama shure kwemafashame makore mazana matatu nemakore makumi mashanu.
  235. Gen 9:29 Zvino mazuva ose aNowa aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi mashanu, ndokufa.
  236. Gen 10:1 Zvino urwu ndirwo rudzi rwevanakomana vaNowa, Shemu, Hamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vanakomana shure kwemafashame.
  237. Gen 10:2 Vanakomana vaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.
  238. Gen 10:3 Nevanakomana vaGomeri: Ashikenazi naRifati naTogarima.
  239. Gen 10:4 Nevanakomana vaJavhani: Erisha naTarishisi, vaKitimi nevaDhodhanimu.
  240. Gen 10:5 Kubva kune ava zviwi izvi zvechirudzi zvakagoverwa munyika dzavo, umwe neumwe nerurimi rwake, nemhuri dzavo, mumarudzi avo.
  241. Gen 10:6 Nevanakomana vaHamu: Kushi naMiziraimu naPuti naKenani.
  242. Gen 10:7 Uye vanakomana vaKushi: Sebha naHavhira naSabhita naRaama naSabhiteka. Nevanakomana vaRaama: Shebha naDhedhani.
  243. Gen 10:8 Kushi ndokubereka Nimurodhi, iye akatanga kuva ane simba panyika.
  244. Gen 10:9 Iye waiva mudzimba ane simba pamberi paJehovha; naizvozvo zvinonzi: SaNimurodhi, mudzimba ane simba pamberi paJehovha.
  245. Gen 10:10 Uye mavambo eumambo hwake aiva Bhabheri neEreki neAkadhi neKarine panyika yeShinari.
  246. Gen 10:11 Kwakabuda kunyika iyo Ashuri, ndokuvaka Ninivhe neRehobhoti-Ire neKara,
  247. Gen 10:12 neReseni pakati peNinivhe neKara, ndiro guta guru.
  248. Gen 10:13 Zvino Miziraimu wakabereka vaRudhi nevaAnami nevaRehabhi nevaNafituhi,
  249. Gen 10:14 nevaPaturusi nevaKasiruhi (kwakabva ikoko vaFirisitia) nevaKafutori.
  250. Gen 10:15 Zvino Kenani wakabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti,
  251. Gen 10:16 nemuJebhusi nemuAmori nemuGirigashi,
  252. Gen 10:17 nemuHivhi nemuAriki nemuSini,
  253. Gen 10:18 nemuArivhadhi nemuZemari nemuHamati. Zvino shure kweizvozvi mhuri dzevaKenani dzakapararira.
  254. Gen 10:19 Zvino muganhu wevaKenani wakabva paSidhoni ukaenda kuGerari kusvika kuGaza, uchienda kuSodhoma nekuGomora nekuAdhima neZibhoimu kusvika paRasha.
  255. Gen 10:20 Ava vanakomana vaHamu, nemhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, mumarudzi avo.
  256. Gen 10:21 NaShemu wakaberekerwa vana; iyewo ndibaba vevana vose vaEbheri, mukoma waJafeti, mukuru.
  257. Gen 10:22 Vanakomana vaShemu: Eramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu.
  258. Gen 10:23 Uye vanakomana vaAramu: Uzi naHuri naGeteri naMashi.
  259. Gen 10:24 Zvino Aripakishadhi wakabereka Shera, Shera ndokubereka Ebheri.
  260. Gen 10:25 Zvino kuna Ebheri kwakaberekerwa vanakomana vaviri: Zita reumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; uye zita remunin’ina wake raiva Jokitani.
  261. Gen 10:26 Jokitani ndokubereka Arimodhadhi naSherefi naHazarimavheti naJera
  262. Gen 10:27 naHadhoramu naUzari naDhikira
  263. Gen 10:28 naObhari naAbhimaeri naShebha
  264. Gen 10:29 naOfiri naHavhira naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.
  265. Gen 10:30 Neugaro hwavo hwaibva paMesha uchienda Sefari, gomo rekumabvazuva.
  266. Gen 10:31 Ava vanakomana vaShemu, nemhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nemarudzi avo.
  267. Gen 10:32 Ava imhuri dzevanakomana vaNowa, nemazera avo nemarudzi avo; kwavari kwakaparadzaniswa marudzi panyika shure kwemafashame.
  268. Gen 11:1 Zvino nyika yose yaiva rurimi rumwe, nemashoko amwe.
  269. Gen 11:2 Zvino zvakaitika pakufamba kwavo kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.
  270. Gen 11:3 Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvekupisa. Zvino zvidhina zvakava ibwe kwavari, netara ikava dope kwavari.
  271. Gen 11:4 Zvino vakati: Uyai, ngatizvivakire guta neshongwe ine musoro wayo uri kudenga, uye ngatizviitire zita, zvimwe tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.
  272. Gen 11:5 Zvino Jehovha wakaburuka kuona guta neshongwe vana vevanhu yavakavaka.
  273. Gen 11:6 Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderumwe, uye vane rurimi rumwe vose, zvino ndizvo zvavatanga kuita; uye ikozvino hakuchina chinhu chavangamisa chikavakona.
  274. Gen 11:7 Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa umwe neumwe rurimi rwemuvakidzani wake.
  275. Gen 11:8 Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pachiso chenyika yose; ivo ndokuguma kuvaka guta.
  276. Gen 11:9 Naizvozvo kwakatumidzwa zita raro kuti Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha wakavaparadzira pachiso chenyika yose.
  277. Gen 11:10 Awa mazera aShemu. Shemu waiva wemakore zana, ndokubereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.
  278. Gen 11:11 Shemu ndokurarama shure kwekubereka kwake Aripakishadhi makore mazana mashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  279. Gen 11:12 Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, ndokubereka Shera.
  280. Gen 11:13 Aripakishadhi ndokurarama shure kwekubereka kwake Shera makore mazana mana nemakore matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  281. Gen 11:14 Shera ndokurarama makore makumi matatu, ndokubereka Ebheri.
  282. Gen 11:15 Shera ndokurarama shure kwekubereka kwake Ebheri makore mazana mana nemakore matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  283. Gen 11:16 Ebheri ndokurarama makore makumi matatu nemana, ndokubereka Peregi.
  284. Gen 11:17 Ebheri ndokurarama shure kwekubereka kwake Peregi makore mazana mana nemakore makumi matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  285. Gen 11:18 Peregi ndokurarama makore makumi matatu, ndokubereka Rehu.
  286. Gen 11:19 Zvino Peregi wakararama makore mazana maviri nemakore mapfumbamwe shure kwekubereka kwake Rehu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  287. Gen 11:20 Rehu ndokurarama makore makumi matatu nemaviri, ndokubereka Serugi.
  288. Gen 11:21 Zvino Rehu wakararama shure kwekubereka kwake Serugi makore mazana maviri nemakore manomwe; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  289. Gen 11:22 Serugi ndokurarama makore makumi matatu, ndokubereka Nahori.
  290. Gen 11:23 Zvino Serugi wakararama shure kwekubereka kwake Nahori makore mazana maviri, ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  291. Gen 11:24 Nahori ndokurarama makore makumi maviri nemapfumbamwe, ndokubereka Tera.
  292. Gen 11:25 Zvino Nahori wakararama shure kwekubereka kwake Tera makore zana nemakore gumi nemapfumbamwe, ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  293. Gen 11:26 Tera ndokurarama makore makumi manomwe, ndokubereka Abhuramu, Nahori naHarani.
  294. Gen 11:27 Zvino urwu rudzi rwaTera. Tera wakabereka Abhuramu, Nahori, naHarani; Harani ndokubereka Roti.
  295. Gen 11:28 Harani ndokufa kutangira baba vake Tera, panyika yechizvarigo chake, muUri revaKaradhiya.
  296. Gen 11:29 Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhuramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika nababa vaIsika.
  297. Gen 11:30 Asi Sarai waiva mhanje; waiva asina mwana.
  298. Gen 11:31 Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti mwanakomana waHarani, mwanakomana wemwanakomana wake, naSarai muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; zvino vakabuda navo kubva paUri revaKaradhiya kuenda kunyika yeKenani; ndokusvika kuHarani, ndokugarapo.
  299. Gen 11:32 Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemakore mashanu; Tera ndokufira muHarani.
  300. Gen 12:1 Zvino Jehovha wakati kuna Abhuramu: Ibva iwe panyika yekwako nepahama dzako nekuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza.
  301. Gen 12:2 Zvino ndichakuita uve rudzi rukuru, uye ndichakuropafadza, nekuita zita rako rive guru, uye uve ropafadzo.
  302. Gen 12:3 Zvino ndicharopafadza vanokuropafadza, nekutuka anokutuka; uye mauri marudzi ose enyika acharopafadzwa.
  303. Gen 12:4 Abhuramu ndokuenda Jehovha sezvaakataura kwaari, naRoti wakaenda naye. Zvino Abhuramu waiva ari wemakore makumi manomwe nemakore mashanu pakubuda kwake kubva muHarani.
  304. Gen 12:5 Abhuramu ndokutora Sarai mukadzi wake, naRoti, mwanakomana wemunin’ina wake, nenhumbi dzavo dzose dzavaiva vaunganidza, nemweya yeupenyu yavaiva vawana muHarani, zvino vakabuda kuenda kunyika yeKenani; ndokusvika kunyika yeKenani.
  305. Gen 12:6 Abhuramu ndokugura nemunyika kusvika panzvimbo yeShekemu, pamuouki weMore; uye vaKenani vaiva munyika iyo nguva iyoyo.
  306. Gen 12:7 Zvino Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu ndokuti: Kuchizvarwa chako ndichapa nyika iyi. Ndokuvakira ipapo Jehovha waiva aonekera kwaari aritari.
  307. Gen 12:8 Zvino wakapfuurira kubva ipapo kuenda kugomo kumabvazuva eBheteri, ndokudzika tende rake, Bheteri kumavirazuva uye Ai kumabvazuva. Zvino wakavakirapo Jehovha aritari, ndokudana zita raJehovha.
  308. Gen 12:9 Zvino Abhuramu wakabva achienda mberi kuenda kuchamhembe.
  309. Gen 12:10 Zvino kwakava nenzara panyika. Abhuramu ndokuburukira kuEgipita kunogarako semweni, nokuti nzara yairema panyika.
  310. Gen 12:11 Zvino zvakaitika oswedera kupinda muEgipita kuti wakati kuna Sarai mukadzi wake: Tarira hako, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka kuonekwa.
  311. Gen 12:12 Zvino zvichaitika vaEgipita pavachakuona, kuti vachati: Uyu mukadzi wake, ndokundiuraya, asi iwe vachakuchengeta uri mupenyu.
  312. Gen 12:13 Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti zvindinakire nekuda kwako, uye mweya weupenyu wangu urarame nekuda kwako.
  313. Gen 12:14 Zvino zvakaitika Abhuramu paakasvika muEgipita, kuti vaEgipita vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.
  314. Gen 12:15 Nemachinda aFarao akamuona, ndokumurumbidza kuna Farao; mukadzi ndokuuiswa mumba maFarao.
  315. Gen 12:16 Zvino wakabata Abhuramu zvakanaka nekuda kwake; uye wakava nemakwai nenzombe nemakono embongoro nevarandarume nevarandakadzi nemakadzi embongoro nemakamera.
  316. Gen 12:17 Asi Jehovha wakatambudza Farao neimba yake nematambudziko makuru nekuda kwaSarai mukadzi waAbhuramu.
  317. Gen 12:18 Farao ndokudana Abhuramu, ndokuti: Chii ichi chawaita kwandiri? Nemhaka yei usina kundiudza kuti mukadzi wako?
  318. Gen 12:19 Wakareverei kuti ihanzvadzi yangu, kusvika ndamutora kuva mukadzi wangu? Naizvozvo ikozvino tarira mukadzi wako, tora uende.
  319. Gen 12:20 Zvino Farao akaraira varume maererano naye; ndokumuendesa nemukadzi wake nezvose zvaaiva anazvo.
  320. Gen 13:1 Zvino Abhuramu wakakwira kubva Egipita, iye nemukadzi wake nezvose zvaaiva anazvo, naRoti anaye, kuenda kuchamhembe.
  321. Gen 13:2 Zvino Abhuramu waiva akafuma kwazvo pazvipfuwo, pasirivha, nepagoridhe.
  322. Gen 13:3 Zvino wakafamba nzendo dzake kubva kuchamhembe kusvikawo paBheteri, kunzvimbo paiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
  323. Gen 13:4 kunzvimbo yearitari yaaiva aitapo pakutanga; Abhuramu ndokudana zita raJehovha ipapo.
  324. Gen 13:5 NaRotiwo, waifamba naAbhuramu, waiva ane makwai nemombe nematende.
  325. Gen 13:6 Zvino nyika yaiva isingagoni kuvatakura kuti vagare pamwe; nokuti fuma yavo yaiva zhinji, zvekuti vaiva vasingagoni kugara pamwe.
  326. Gen 13:7 Zvino pakava negakava pakati pevafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti. Zvino nenguva iyo vaKenani nevaPerezi vaigara panyika iyo.
  327. Gen 13:8 Abhuramu ndokuti kuna Roti: Ngakurege hako kuva negakava pakati pangu newe, nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nokuti tiri varume hama.
  328. Gen 13:9 Nyika yose haisi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana ukaenda kuruboshwe, ndichaenda kurudyi; uye kana ukaenda kurudyi, ndichaenda kuruboshwe.
  329. Gen 13:10 Roti ndokusimudza meso ake, ndokuona rose bani raJoridhani kuti rakadiridzwa zvakanaka kose, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora; rakaita semunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana uchienda Zoari.
  330. Gen 13:11 Roti ndokuzvisarudzira bani rose raJoridhani; Roti ndokubva kuenda kumabvazuva; ndokuzviparadzanisa umwe kubva kune umwe.
  331. Gen 13:12 Abhuramu wakagara munyika yeKenani; Roti ndokugara pamaguta ebani, ndokudzika tende pedo neSodhoma.
  332. Gen 13:13 Asi vanhu veSodhoma vaiva vakaipa uye vaiva vatadzi pamberi paJehovha zvikuru.
  333. Gen 13:14 Jehovha ndokuti kuna Abhuramu shure kwekunge Roti aparadzana naye: Simudza hako meso ako, utarire kubva panzvimbo pauri, kumaodzanyemba nekuchamhembe nekumabvazuva nekumavirira;
  334. Gen 13:15 nokuti nyika yose yaunoona ndichaipa kwauri, nekuchizvarwa chako kusvika rinhi narinhi.
  335. Gen 13:16 Uye ndichaita chizvarwa chako seguruva renyika, kuti kana munhu achigona kuverenga guruva renyika, chizvarwa chako chingaverengwawo.
  336. Gen 13:17 Simuka, famba ugure panyika paurefu hwayo, nepaupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.
  337. Gen 13:18 Abhuramu ndokubvisa matende, ndokusvika ndokugara pamiouki yeMamure iri muHebhuroni, ndokuvakirapo Jehovha aritari.
  338. Gen 14:1 Zvino zvakaitika mumazuva aAmuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasari, Kedhoriraomeri mambo weEramu, naTidhari mambo wemarudzi,
  339. Gen 14:2 kuti vakaita hondo naBhera mambo weSodhoma, uye naBhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, naShemebheri mambo weZebhoimi, namambo weBhera rinova Zoari.
  340. Gen 14:3 Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu unova gungwa remunyu.
  341. Gen 14:4 Makore gumi nemaviri vakashandira Kedhoriraomeri, asi negore regumi nematatu vakapanduka.
  342. Gen 14:5 Zvino mugore regumi nemana kwakauya Kedhoriraomeri nemadzimambo aiva naye, ndokurova vaRefaimi paAshitoreti-Karinaimi, nevaZuzimi paHamu, nevaEmimi paShavhe-Kiriataimi,
  343. Gen 14:6 nevaHori pagomo ravo Seiri, kusvika paEriparani riri pedo nerenje.
  344. Gen 14:7 Zvino vakadzoka ndokusvika Eni-Mishipati rinova Kadheshi, ndokurova nyika yose yevaAmareki, nevaAmoriwo, vaigara paHazezoni-Tamari.
  345. Gen 14:8 Zvino kwakabuda mambo weSodhoma namambo weGomora namambo weAdhima namambo weZebhoimi namambo weBhera rinova Zoari, zvino vakarongedza hondo kurwa navo pamupata weSidhimu,
  346. Gen 14:9 kurwisana naKedhoriraomeri mambo weEramu, naTidhari mambo wemarudzi, naAmuraferi mambo weShinari, naArioki mambo weErasari; madzimambo mana akamirisana nemashanu.
  347. Gen 14:10 Zvino mupata weSidhimu waiva nemakomba makomba etara; uye madzimambo eSodhoma neGomora akatiza ndokuwiramo; uye vakasara vakatizira kugomo.
  348. Gen 14:11 Ivo ndokutora nhumbi dzose dzeSodhoma neGomora, nekudya kwavo kose, ndokuenda.
  349. Gen 14:12 Zvino vakatora Roti mwanakomana wemunin’ina waAbhuramu, nenhumbi dzake, nokuti waigara paSodhoma, ndokuenda.
  350. Gen 14:13 Zvino kwakauya waiva apukunyuka ndokuudza Abhuramu muHebheru, nokuti waigara pamiouki yaMamure muAmori, munin’ina waEshikori nemunin’ina waAneri vaiva nesungano naAbhuramu.
  351. Gen 14:14 Abhuramu wakati anzwa kuti hama yake yatapwa, akashongedza zvombo vaiva vadzidziswa vake, vakazvarwa muimba yake, mazana matatu negumi nevasere, ndokuvadzingirira kusvika paDhani.
  352. Gen 14:15 Zvino wakazvikamura kurwa navo usiku, iye nevaranda vake, ndokuvarova, ndokuvadzingirira kusvika paHobha, riri kuruboshwe rweDhamasiko.
  353. Gen 14:16 Zvino wakadzosa nhumbi dzose, akadzosawo Roti hama yake nenhumbi dzake, nevakadziwo nevanhu.
  354. Gen 14:17 Mambo weSodhoma ndokubuda kunosangana naye shure kwekudzoka kwake kubva kunouraya Kedhoraomari nemadzimambo aiva naye, pamupata weShavhe, unova mupata wamambo.
  355. Gen 14:18 Merikizedheki mambo weSaremi ndokuuya nechingwa newaini; uye iye mupristi waMwari Wekumusoro-soro.
  356. Gen 14:19 Zvino wakamuropafadza ndokuti: Ngaaropafadzwe Abhuramu kuna Mwari Wekumusoro-soro, Muridzi wematenga nepasi.
  357. Gen 14:20 Uye ngaaropafadzwe Mwari Wekumusoro-soro, wakakumikidza vavengi vako muruoko rwako. Ndokumupa chegumi chezvose.
  358. Gen 14:21 Zvino mambo weSodhoma wakati kuna Abhuramu: Ndipe vanhu, asi uzvitorere nhumbi.
  359. Gen 14:22 Abhuramu ndokuti kuna mambo weSodhoma: Ndasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha Mwari Wekumusoro-soro, Muridzi wematenga nepasi,
  360. Gen 14:23 kuti handingatori kuti kubva kurushinda kusvika kurukanda rweshangu pane chose chaunacho, kuti murege kuzoti: Ini ndakafumisa Abhuramu.
  361. Gen 14:24 Handina mugove kunze kweizvo chete majaya zvaakadya, nemugove wevarume vakaenda neni, Aneri, Eshikori naMamure, ivo ngavatore mugove wavo.
  362. Gen 15:1 Shure kwezvinhu izvi shoko raJehovha rakava kuna Abhuramu pachiratidzo richiti: Usatya Abhuramu, ndiri nhovo yako, mubairo wako mukuru-kuru.
  363. Gen 15:2 Abhuramu ndokuti: Ishe Jehovha, muchandipei, zvandinongova ndisina mwana, nemudyi wenhaka yeimba yangu ndeweDhamasiko Eriezeri?
  364. Gen 15:3 Abhuramu ndokuti: Tarirai, kwandiri hamuna kupa chizvarwa; uye tarirai, uyo wakaponerwa mumba mangu achava mudyi wenhaka yangu.
  365. Gen 15:4 Zvino tarira, shoko raJehovha rakava kwaari richiti: Uyu haangavi mudyi wenhaka wako; asi uyo achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka wako.
  366. Gen 15:5 Zvino wakamubudisa panze ndokuti: Tarira hako kumatenga, ugoverenga nyeredzi, kana ungagona kudziverenga. Ndokuti kwaari: Chizvarwa chako chichava saizvozvo.
  367. Gen 15:6 Iye ndokutenda kuna Jehovha. Zvino akamuverengera izvi kuva kururama.
  368. Gen 15:7 Zvino wakati kwaari: Ndini Jehovha wakakubudisa paUri revaKaradhiya kukupa nyika iyi uigare nhaka.
  369. Gen 15:8 Iye ndokuti: Ishe Jehovha, ndichaziva sei kuti ichava nhaka yangu?
  370. Gen 15:9 Zvino wakati kwaari: Nditorere tsiru remakore matatu, nesheche yembudzi yemakore matatu, negondohwe remakore matatu, nenjiva, nemwana wehangaiwa.
  371. Gen 15:10 Zvino wakamutorera zvose izvi, ndokuzvipamura nepakati, ndokugadzika rumwe rutivi rwazvo rwakatarisana nerumwe; asi shiri haana kudzipamura.
  372. Gen 15:11 Zvino magora akaburukira pamusoro pezvitunha, asi Abhuramu wakaadzinga.
  373. Gen 15:12 Zvino zuva rakati rovira, hope huru dzakawira pamusoro paAbhuramu; zvino tarira, kutya nerima guru zvakawira pamusoro pake.
  374. Gen 15:13 Zvino wakati kuna Abhuramu: Uzive nekuziva kuti chizvarwa chako chichava mutorwa munyika isiri yavo, uye vachavashandira, uye vachavatambudza makore mazana mana.
  375. Gen 15:14 Asi rudziwo urwo rwavachashandira ndicharutonga, uye pashure vachabuda nenhumbi zhinji.
  376. Gen 15:15 Asi iwe uchaenda kumadzibaba ako murugare, uchavigwa pakukwegura kwakanaka.
  377. Gen 15:16 Zvino zera rechina richadzoka pano; nokuti kuipa kwevaAmori kuchigere kuzara.
  378. Gen 15:17 Zvino zvakaitika kuti zuva ravira, uye kwasviba, zvino tarira, choto chinopfungaira nemwenje unopfuta zvinopfuura pakati penhindi idzo.
  379. Gen 15:18 Nezuva iroro Jehovha wakaita sungano naAbhuramu achiti: Kuchizvarwa chako ndapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvika kurwizi rukuru, rwizi Furati:
  380. Gen 15:19 VaKeni nevaKenizi nevaKadhimoni
  381. Gen 15:20 nevaHiti nevaPerezi nevaRefaimi
  382. Gen 15:21 nevaAmori nevaKenani nevaGirigashi nevaJebhusi.
  383. Gen 16:1 Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu waiva asingamuberekeri uye waiva nemurandakadzi, muEgipita, uye zita rake raiva Hagari.
  384. Gen 16:2 Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Tarira hako, Jehovha wakandidzivisa kubereka; pinda hako kumurandakadzi wangu; zvimwe ndingavakwa naye. Abhuramu ndokuteerera kuinzwi raSarai.
  385. Gen 16:3 Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu wakatora Hagari muEgipita murandakadzi wake, pakupera kwemakore gumi Abhuramu agere panyika yeKenani, ndokumupa kuna Abhuramu murume wake kuva mukadzi kwaari.
  386. Gen 16:4 Zvino wakapinda kuna Hagari, iye ndokubata mimba. Zvino wakati aona kuti wabata mimba, vatenzikadzi vake vakashoreka pameso ake.
  387. Gen 16:5 Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Kukanganiswa kwangu kuri pamusoro pako. Ini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino waona kuti wabata mimba, ndinoshoreka pameso ake. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.
  388. Gen 16:6 Abhuramu ndokuti kuna Sarai: Tarira, murandakadzi wako ari paruoko rwako. Muitire zvakanaka pameso ako. Zvino Sarai wakamubata zvakaipa, iye ndokutiza pachiso chake.
  389. Gen 16:7 Mutumwa waJehovha ndokumuwana pachitubu chemvura murenje, pachitubu panzira yeShuri.
  390. Gen 16:8 Zvino wakati: Hagari, murandakadzi waSarai, unobvepi, uye unoendepi? Iye ndokuti: Ndinotiza pachiso chaSarai vatenzikadzi vangu.
  391. Gen 16:9 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Dzokera kuna vatenzikadzi vako, ugozvininipisa pasi pemaoko avo.
  392. Gen 16:10 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Ndichawanza zvikuru chizvarwa chako kuti chisaverengwa nekuwanda.
  393. Gen 16:11 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Tarira, une mimba, uye uchabereka mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Ishimaeri, nokuti Jehovha wanzwa kutambudzika kwako.
  394. Gen 16:12 Iyewo achava munhu ari mbongoro yemusango; ruoko rwake rwucharwisa vose, neruoko rwevose rwuchamurwisa; uye achagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
  395. Gen 16:13 Zvino akatumidza zita raJehovha wakataurirana naye kuti: Imwi Mwari wekuona. Nokuti wakati: Pano neni ndamutarisa here iye anondiona?
  396. Gen 16:14 Naizvozvo chitubu chakanzi Bheeri-Rahai-Royi; tarira, chiri pakati peKadheshi neBheredhi.
  397. Gen 16:15 Hagari ndokuberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu ndokutumidza zita remwanakomana wake, Hagari waamukabereka: Ishimaeri.
  398. Gen 16:16 Zvino Abhuramu waiva wemakore makumi masere nematanhatu Hagari paakaberekera Abhuramu Ishimaeri.
  399. Gen 17:1 Zvino Abhuramu paaiva ava wemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Jehovha wakaonekwa kuna Abhuramu, ndokuti kwaari: Ndiri Mwari Wemasimbaose, famba pamberi pangu, uye uve wakakwana.
  400. Gen 17:2 Zvino ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, uye ndichakuwanza zvikurusa.
  401. Gen 17:3 Abhuramu ndokuwa nechiso chake; Mwari ndokutaura naye, achiti:
  402. Gen 17:4 Ini, tarira, sungano yangu inewe; uye uchava baba vechaunga chemarudzi.
  403. Gen 17:5 Nezita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richava Abhurahama; nokuti ndakuita baba vechaunga chemarudzi.
  404. Gen 17:6 Ndichakuitawo ubereke zvikurusa; uye ndichakuita marudzi, nemadzimambo achabuda kwauri.
  405. Gen 17:7 Uye ndichamisa sungano yangu pakati pangu newe nechizvarwa chako shure kwako pamazera acho, kuva sungano yekusingaperi, kuti ndive Mwari kwauri nekuchizvarwa chako shure kwako.
  406. Gen 17:8 Zvino ndichapa kwauri nekuchizvarwa chako shure kwako nyika yeumweni hwako, nyika yose yeKenani, ive fuma nekusingaperi; uye ndichava Mwari wavo.
  407. Gen 17:9 Mwari ndokuti kuna Abhurahama: Zvino iwe uchachengeta sungano yangu, iwe nechizvarwa chako shure kwako pamazera acho.
  408. Gen 17:10 Iyi isungano yangu, yamuchachengeta pakati pangu nemwi nechizvarwa chako shure kwako: Chirume chose pamuri chidzingiswe.
  409. Gen 17:11 Zvino muchadzingisa nyama yeganda renyu repamberi; uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemwi.
  410. Gen 17:12 Uye mwanakomana wemazuva masere achadzingiswa pakati penyu, chirume chose pamazera enyu, anozvarwa mumba, kana anotengwa nemari kumutorwa upi neupi, asiri wechizvarwa chako.
  411. Gen 17:13 Wakazvarwa mumba mako newakatengwa nemari yako adzingiswe zvirokwazvo. Uye sungano yangu ichava panyama yenyu, ive sungano yekusingaperi.
  412. Gen 17:14 Zvino chirume chisina kudzingiswa, chine nyama yeganda repamberi isina kudzingiswa, mweya weupenyu uyo ugurwe ubve pavanhu vekwake; wadarika sungano yangu.
  413. Gen 17:15 Mwari ndokuti kuna Abhurahama: Sarai mukadzi wako, usadana zita rake Sarai, nokuti Sara ndiro zita rake.
  414. Gen 17:16 Zvino ndichamuropafadza, ndigokupawo mwanakomana kwaari; hongu ndichamuropafadza uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva maari.
  415. Gen 17:17 Abhurahama ndokuwa nechiso chake, ndokuseka, ndokuti mumoyo make: Ari wemakore zana angaberekerwa here? Ko naSara wava nemakore makumi mapfumbamwe achabereka here?
  416. Gen 17:18 Abhurahama ndokuti kuna Mwari: Dai Ishimaeri achirarama pamberi penyu!
  417. Gen 17:19 Mwari ndokuti: Kwete, Sara mukadzi wako achakuberekera mwanakomana; uye uchadana zita rake Isaka; uye ndichamisa sungano yangu naye, ive sungano yekusingaperi pachizvarwa chake shure kwake.
  418. Gen 17:20 Zvino kana ari Ishimaeri, ndakunzwa; tarira, ndamuropafadza, uye ndichamuita abereke, nekumuwanza zvikurusa; achabereka madzishe gumi nemaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
  419. Gen 17:21 Asi sungano yangu ndichaimisa naIsaka, Sara waachakuberekera nenguva ino yakatarwa gore rinouya.
  420. Gen 17:22 Zvino wakapedza kutaura naye, Mwari ndokukwira kubva kuna Abhurahama.
  421. Gen 17:23 Abhurahama ndokutora Ishimaeri mwanakomana wake, nevose vakazvarwa mumba make, nevose vakatengwa nemari yake, chirume chose pakati pevarume veimba yaAbhurahama, ndokudzingisa nyama yeganda ravo repamberi nemusi iwoyo, Mwari sezvaataura kwaari.
  422. Gen 17:24 Zvino Abhurahama waiva wemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe paakadzingiswa nyama yeganda rake repamberi.
  423. Gen 17:25 NaIshimaeri mwanakomana wake waiva wemakore gumi nematatu paakadzingiswa nyama yeganda rake repamberi.
  424. Gen 17:26 Nezuva iroro Abhurahama wakadzingiswa pamwe naIshimaeri mwanakomana wake.
  425. Gen 17:27 Nevarume vose veimba yake, vakazvarirwa mumba nevakatengwa nemari kumutorwa, vakadzingiswa pamwe naye.
  426. Gen 18:1 Zvino Jehovha wakaonekwa kwaari pamiouki yeMamure iye agere pamusuwo wetende pakupisa kwezuva,
  427. Gen 18:2 ndokusimudza meso ake ndokuona, zvino tarira, varume vatatu vamire naye; paakavaona wakamhanya kubva pamusuwo wetende kunovachingamidza, ndokukotamira pasi,
  428. Gen 18:3 ndokuti: Ishe, kana ikozvino ndawana nyasha pameso penyu, musapfuura henyu kubva pamuranda wenyu.
  429. Gen 18:4 Ngakuuiswe hako mvura shoma, mugoshambidza tsoka dzenyu, uye muzembere pasi pemuti.
  430. Gen 18:5 Zvino ndichaunza chimedu chechingwa, mugosimbisa moyo yenyu; shure kwaizvozvo mopfuura, nokuti ndizvo zvamapfuurira nekumuranda wenyu. Ivo ndokuti: Ita saizvozvo sezvawataura.
  431. Gen 18:6 Abhurahama ndokukurumidza kuenda mutende kuna Sara, ndokuti: Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zveupfu hwakatsetseka! Kanya, ugoita makeke.
  432. Gen 18:7 Abhurahama ndokumhanyira kumombe, ndokutora mhuru ine nyama yakapfava uye yakanaka, ndokupa kujaya; iro ndokukurumidza kuigadzira.
  433. Gen 18:8 Zvino wakatora mukaka wakafa, nemukaka mumbishi, nemhuru yaaiva agadzira, ndokuunza pamberi pavo; ndokumira pedo navo muzasi memuti, ivo ndokudya.
  434. Gen 18:9 Ivo ndokuti kwaari: Uripi Sara mukadzi wako? Iye ndokuti: Tarirai, mutende.
  435. Gen 18:10 Zvino wakati: Zvirokwazvo ndichadzoka kwauri nenguva iyi yeupenyu; zvino tarira, Sara mukadzi wako achava nemwanakomana. Sarawo akazvinzwa ari pamusuwo wetende waiva shure kwake.
  436. Gen 18:11 Zvino Abhurahama naSara vaiva vakwegura, vava nemakore mazhinji. Mutoo wevakadzi waiva waguma kuna Sara.
  437. Gen 18:12 Naizvozvo Sara wakaseka mukati make achiti: Ndakwegura, ndingava nemufaro here, naishe wangu achemberawo?
  438. Gen 18:13 Jehovha ndokuti kuna Abhurahama: Sara wasekerei achiti: Zvirokwazvo ndichabereka ini ndakwegura here?
  439. Gen 18:14 Kune chinhu chinorema kukunda Jehovha here? Nenguva yakatarwa ndichadzoka kwauri, nenguva ino yeupenyu, uye Sara achava nemwanakomana.
  440. Gen 18:15 Sara ndokuramba achiti: Handina kuseka; nokuti waitya. Asi iye wakati: Kwete asi waseka.
  441. Gen 18:16 Zvino varume vakasimuka kubva ipapo ndokutarira pasi kuSodhoma; Abhurahama ndokuenda navo kuvaperekedza.
  442. Gen 18:17 Zvino Jehovha wakati: Ndichavanzira Abhurahama zvandinoita here?
  443. Gen 18:18 Nokuti zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru uye rune simba; uye marudzi ose enyika acharopafadzwa nemaari.
  444. Gen 18:19 Nokuti ndamuziva, kuti araire vana vake neimba yake shure kwake, vagochengeta nzira yaJehovha kuita kururama nekutonga; kuti Jehovha aunze pamusoro paAbhurahama izvo zvaakataura maererano naye.
  445. Gen 18:20 Jehovha ndokuti: Nokuti kuchema kweSodhoma neGomora kukuru, uye nokuti chivi chavo chinorema zvikuru,
  446. Gen 18:21 ndichaburuka ikozvino ndigoona kana vakaita zvizere zvinoenderana nekuchema kwaro kwasvika kwandiri; asi kana zvisina kudaro, ndichaziva.
  447. Gen 18:22 Zvino varume vakafuratira ipapo, ndokuenda kuSodhoma; asi Abhurahama waiva achakamira pamberi paJehovha.
  448. Gen 18:23 Zvino Abhurahama wakaswedera, ndokuti: Muchaparadzawo wakarurama pamwe newakaipa here?
  449. Gen 18:24 Zvimwe varipo vakarurama makumi mashanu mukati meguta; muchaparadzawo mukasaregerera nzvimbo nekuda kwevakarurama makumi mashanu vari mariri here?
  450. Gen 18:25 Ngazvive kure nemwi kuita chinhu chakadaro, kuuraya wakarurama pamwe newakaipa, kuti wakarurama ave sewakaipa; ngazvive kure nemwi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?
  451. Gen 18:26 Jehovha ndokuti: Kana ndikawana muSodhoma vakarurama makumi mashanu mukati meguta, ipapo ndicharegerera nzvimbo yose nekuda kwavo.
  452. Gen 18:27 Zvino Abhurahama wakapindura ndokuti: Tarirai henyu, ndazvipira kutaura kuna Ishe kunyange ndiri guruva nedota.
  453. Gen 18:28 Zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama makumi mashanu; muchaparadza guta rose nekuda kwevashanu here? Iye ndokuti: Handingariparadzi kana ndikawanamo makumi mana nevashanu.
  454. Gen 18:29 Zvino wakaramba achitaurazve naye ndokuti: Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana. Iye ndokuti: Handingazviiti nekuda kwemakumi mana.
  455. Gen 18:30 Zvino wakati: Ishe ngaarege hake kutsamwa, apo ndichitaura. Zvimwe makumi matatu vachawanikwamo. Iye ndokuti: Handingazviiti kana ndikawanamo makumi matatu.
  456. Gen 18:31 Zvino wakati: Tarira ikozvino, ndazvipira kutaura kuna Ishe; zvimwe kuchawanikwamo makumi maviri. Iye ndokuti: Handingariparadzi nekuda kwemakumi maviri.
  457. Gen 18:32 Zvino wakati: Ishe ngaarege hake kutsamwa, ndichataurazve ikozvino kamwe; zvimwe kuchawanikwamo gumi. Iye ndokuti: Handingariparadzi nekuda kwevane gumi.
  458. Gen 18:33 Zvino Jehovha wakafamba paaiva apedza kutaura naAbhurahama; Abhurahama ndokudzokera kunzvimbo yake.
  459. Gen 19:1 Zvino vatumwa vaya vaviri vakasvika kuSodhoma madekwani. Uye Roti waiva agere pasuwo reSodhoma. Zvino Roti achivaona ndokusimuka kunovachingamidza, ndokukotamira pasi nechiso;
  460. Gen 19:2 ndokuti: Tarirai henyu, madzishe angu, tsaukirai henyu mumba memuranda wenyu, mugogara usiku, uye mushambe tsoka dzenyu, mugofumira mofamba nzira yenyu. Zvino vakati: Kwete asi tichagara usiku panzira.
  461. Gen 19:3 Zvino wakavagombedzera zvikuru kusvika vatendeukira kwaari ndokupinda mumba make; iye ndokuvaitira mabiko, ndokubika chingwa chisina mbiriso, zvino vakadya.
  462. Gen 19:4 Vasati varara, varume veguta, varume veSodhoma, vakakomba imba, kubva kumudiki kusvika kumukuru, vanhu vose kubva kumugumo.
  463. Gen 19:5 Zvino vakadana kuna Roti ndokuti kwaari: Varipi varume vasvika kwauri usiku huno? Vabudisire kwatiri kuti tivazive.
  464. Gen 19:6 Roti ndokubudira kwavari kumusuwo, ndokuvhara musuwo shure kwake.
  465. Gen 19:7 Ndokuti: Ndinokukumbirai, hama dzangu, musaita zvakaipa.
  466. Gen 19:8 Tarirai henyu, ndine vakunda vaviri vasina kuziva murume, regai henyu ndivabudisire kwamuri, muvaitire sezvakanaka pameso enyu; koga kuvarume ava, musaita chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga reimba rangu.
  467. Gen 19:9 Asi vakati: Sudurukira uko! Vakatizve: Uyu oga wakauya kuva mweni, zvino zvirokwazvo angava mutongi here? Ikozvino tichaita zvakaipa kwauri kupfuura ivo. Vakamanikidza zvikuru murume Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
  468. Gen 19:10 Asi varume vaya vakatandavadza ruoko rwavo, ndokukwevera Roti mumba mavari, ndokupfiga gonhi.
  469. Gen 19:11 Zvino vakarova varume vaiva pamusuwo weimba neupofu-pofu, kubva kumudiki kusvika kumukuru, kusvika vaneta nekutsvaka musuwo.
  470. Gen 19:12 Varume ndokuti kuna Roti: Uchine vana ani pano? Mukwasha, nevanakomana vako, nevakunda vako, newose waunaye muguta, mubudise panzvimbo ino.
  471. Gen 19:13 Nokuti tichaparadza nzvimbo ino, nokuti kuchema kwavo kukuru pamberi pechiso chaJehovha; zvino Jehovha watituma kuiparadza.
  472. Gen 19:14 Zvino Roti wakabuda ndokutaura nevakwasha vake, vaizowana vakunda vake, ndokuti: Simukai mubude munzvimbo ino; nokuti Jehovha achaparadza guta. Asi wakaita seanoita musara pameso evakwasha vake.
  473. Gen 19:15 Zvino utonga huchitsvuka, vatumwa vakambandidzira Roti vachiti: Simuka, tora mukadzi wako nevakunda vako vaviri vari pano, zvimwe ungaparadzwa mukurangwa kweguta.
  474. Gen 19:16 Wakati achinonoka varume vakabata ruoko rwake neruoko rwemukadzi wake, neruoko rwevakunda vake vaviri, kubudikidza netsitsi dzaJehovha pamusoro pake, ndokumubudisa, ndokumuisa kunze kweguta.
  475. Gen 19:17 Zvino zvakaitika vavabudisa kunze, kuti wakati: Pukunyuka nekuda kweupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose; pukunyukira kugomo, zvimwe ungaparadzwa.
  476. Gen 19:18 Roti ndokuti kwavari: Kwete hazvo, Ishe wangu.
  477. Gen 19:19 Tarirai henyu, muranda wenyu wawana nyasha pameso enyu, uye makurisa tsitsi dzenyu dzamaitira kwandiri kuponesa upenyu hwangu; asi ini handigoni kupunyukira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandinamatira ndokufa.
  478. Gen 19:20 Tarirai zvino, guta iri riri pedo kutizirako; uye idiki. Regai henyu ndipukunyukireko. Harisi diki here? Ipapo mweya weupenyu wangu uchararama.
  479. Gen 19:21 Zvino wakati kwaari: Tarira, ndagamuchira chiso chako pachinhu ichiwo, kuti ndisaparadza guta rawareva.
  480. Gen 19:22 Kurumidza, pukunyukirako; nokuti handigoni kuita chinhu kusvika wasvikapo. Naizvozvo vakatumidza zita reguta kuti Zoari.
  481. Gen 19:23 Zuva raiva rabuda panyika Roti paakapinda paZoari.
  482. Gen 19:24 Zvino Jehovha wakanaisa pamusoro peSodhoma nepamusoro peGomora sarufa nemoto kubva kuna Jehovha kubva kumatenga.
  483. Gen 19:25 Zvino wakaparadza maguta awo, nebani rose, nevagari vose vemaguta, nezvaibukira zvevhu.
  484. Gen 19:26 Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, ndokuva mbiru yemunyu.
  485. Gen 19:27 Zvino Abhurahama wakamuka mangwanani-ngwanani akaenda kunzvimbo kwaaiva amira pamberi paJehovha.
  486. Gen 19:28 Zvino wakatarira pasi kuSodhoma neGomora nekunyika yose yebani, ndokuona, zvino tarira, mbwititi yenyika iyo ichikwira sembwititi yechoto.
  487. Gen 19:29 Zvino zvakaitika Mwari achiparadza maguta ebani, kuti Mwari wakarangarira Abhurahama, akatungamirira Roti achimubudisa pakati pekuparadzwa, paakaparadza maguta maiva muchigara Roti.
  488. Gen 19:30 Zvino Roti wakakwira kubuda muZoari, ndokugara mugomo, nevakunda vake vaviri pamwe naye; nokuti wakatya kugara muZoari; ndokugara mubako, iye nevakunda vake vaviri.
  489. Gen 19:31 Zvino dangwe rakati kumudiki: Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume panyika angapinda kwatiri nemutoo wenyika yose.
  490. Gen 19:32 Uya tinwise baba vedu waini, tigorara navo kuti tichengete chizvarwa kubva kuna baba vedu.
  491. Gen 19:33 Zvino vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwo, dangwe ndokupinda ndokurara nababa vake; asi havana kuziva pakurara kwake pasi kana pakumuka kwake.
  492. Gen 19:34 Zvino zvakaitika chifume kuti dangwe rakati kumudiki: Tarira, ndakarara nababa vangu usiku hwapfuura; ngativanwise waini usiku hunowo, ugopinda urare navo kuti tichengete chizvarwa kubva kuna baba vedu.
  493. Gen 19:35 Zvino vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo; mudiki ndokusimuka, ndokurara navo; asi havana kuziva pakurara kwake pasi kana pakumuka kwake.
  494. Gen 19:36 Saizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.
  495. Gen 19:37 Zvino dangwe rakabereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Moabhu; ndiye baba vevaMoabhu kusvika zuva rino.
  496. Gen 19:38 Nemudiki, iye wakaberekawo mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Bheni-Ami; ndivo baba vevana vaAmoni kusvika zuva rino.
  497. Gen 20:1 Zvino Abhurahama wakafamba kubva ipapo kuenda kunyika yekuchamhembe, ndokugara pakati peKadheshi neShuri, ndokuva mutorwa muGerari.
  498. Gen 20:2 Abhurahama ndokuti maererano naSara mukadzi wake: Ihanzvadzi yangu. Zvino Abhimereki mambo weGerari wakatuma nhume ndokutora Sara.
  499. Gen 20:3 Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Tarira, wakafa nekuda kwemukadzi wawatora, nokuti akaroorwa kumurume.
  500. Gen 20:4 Asi Abhimereki waiva asina kuswedera kwaari. Zvino wakati: Ishe, muchaurayawo rudzi rwakarurama here?
  501. Gen 20:5 Haasi iye here wati kwandiri: Ihanzvadzi yangu? Naiye, iyewo wati: Ihanzvadzi yangu. Pakururama kwemoyo wangu nepakuchena kwemaoko angu ndaita izvi.
  502. Gen 20:6 Mwari ndokuti kwaari muchiroto: Neni ndinoziva kuti wakaita ichi pakururama kwemoyo wako; neniwo ndikakudzivisa kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
  503. Gen 20:7 Naizvozvo ikozvino dzosera mukadzi wemurume, nokuti muporofita; zvino achakunyengeterera ugorarama; asi kana ukasamudzosera, ziva kuti uchafa zvirokwazvo, iwe nevose vako.
  504. Gen 20:8 Abhimereki ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokudana varanda vake vose, ndokutaura mashoko awa ose munzeve dzavo; varume ndokutya zvikuru.
  505. Gen 20:9 Abhimereki ndokudana Abhurahama, ndokuti kwaari: Chii chawatiitira? Uye chii chandakutadzira, kuti uuise pamusoro pangu nepamusoro peushe hwangu chivi chikuru? Waita kwandiri zviito zvisingafaniri kuitwa.
  506. Gen 20:10 Abhimereki ndokuti kuna Abhurahama: Waonei zvawakaita chinhu ichi?
  507. Gen 20:11 Abhurahama ndokuti: Nokuti ndakafunga kuti: Zvirokwazvo kutya Mwari hakumo munzvimbo ino; uye vachandiuraya nekuda kwemukadzi wangu.
  508. Gen 20:12 Zvakadarowo zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haasi mukunda wamai vangu; ndokuva mukadzi wangu.
  509. Gen 20:13 Zvino zvakaitika Mwari paakandidzungaidza kubva paimba yababa vangu, kuti ndakati kwaari: Idzi itsitsi dzako dzauchandiitira: Panzvimbo dzose patichasvika, uti pamusoro pangu: Ihanzvadzi yangu.
  510. Gen 20:14 Abhimereki ndokutora makwai nemombe nevarandarume nevarandakadzi, ndokupa kuna Abhurahama, ndokumudzosera Sara mukadzi wake.
  511. Gen 20:15 Zvino Abhimereki wakati: Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara pakanaka pameso ako.
  512. Gen 20:16 Nekuna Sara wakati: Tarira, ndapa hanzvadzi yako churu chemakobiri esirivha; tarira, chifukidziro chemeso ako kune vose vanewe, nevose, naizvozvo wakatsiurwa.
  513. Gen 20:17 Zvino Abhurahama wakanyengetera kuna Mwari; Mwari ndokuporesa Abhimereki nemukadzi wake nevarandakadzi vake kuti vabereke.
  514. Gen 20:18 Nokuti Jehovha waiva avhara-vhara zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nekuda kwaSara mukadzi waAbhurahama.
  515. Gen 21:1 Zvino Jehovha wakashanyira Sara sezvaaiva areva; Jehovha ndokuita kuna Sara sezvaaiva ataura.
  516. Gen 21:2 Sara ndokubata mimba, ndokuberekera Abhurahama mwanakomana pakukwegura kwake panguva yakatarwa Mwari yaaiva areva kwaari.
  517. Gen 21:3 Zvino Abhurahama wakatumidza zita remwanakomana wake, waakaberekerwa, Sara waakamuberekera, kuti Isaka.
  518. Gen 21:4 Abhurahama ndokudzingisa Isaka mwanakomana wake ane mazuva masere, Mwari sezvaakamuraira.
  519. Gen 21:5 Zvino Abhurahama waiva ari wemakore zana paakaberekerwa Isaka mwanakomana wake.
  520. Gen 21:6 Sara ndokuti: Mwari wandiita chiseko; wose anonzwa achaseka neni.
  521. Gen 21:7 Zvino wakati: Ndiani waimboti kuna Abhurahama: Sara achayamwisa vana? Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.
  522. Gen 21:8 Mwana ndokukura, ndokurumurwa. Abhurahama ndokuita mabiko makuru nemusi uyo Isaka achirumurwa.
  523. Gen 21:9 Zvino Sara wakaona mwanakomana waHagari muEgipita, waakaberekera Abhurahama, achiseka.
  524. Gen 21:10 Naizvozvo wakati kuna Abhurahama: Dzinga mukadzi nhapwa uyu nemwanakomana wake, nokuti mwanakomana wemukadzi nhapwa uyu haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, pamwe naIsaka.
  525. Gen 21:11 Shoko iri rakava rakaipa kwazvo pameso paAbhurahama, nekuda kwemwanakomana wake.
  526. Gen 21:12 Mwari ndokuti kuna Abhurahama: Ngazvirege kuva zvakaipa pameso pako nekuda kwemukomana uye nekuda kwemukadzi nhapwa wako; pazvose Sara zvaataura kwauri, teerera kuinzwi rake, nokuti kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa chizvarwa chako.
  527. Gen 21:13 Uyewo mwanakomana wemukadzi nhapwa ndichamuita rudzi, nokuti chizvarwa chako.
  528. Gen 21:14 Abhurahama ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora chingwa neguchu remvura, ndokupa kuna Hagari, achiisa pafudzi rake, nemwana, ndokumuendesa. Zvino wakaenda akadzungaira murenje reBheeri-Shebha.
  529. Gen 21:15 Mvura yakati yapera muguchu, ndokukanda mwana munyasi merimwe remakwenzi.
  530. Gen 21:16 Ndokuenda ndokuzvigarira pasi pakatarisana naye, kure kungava kufura kwemuseve; nokuti wakati: Ndirege kuona kufa kwemwana. Ndokugara pakatarisana naye, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
  531. Gen 21:17 Zvino Mwari wakanzwa inzwi remukomana. Mutumwa waMwari ndokudanidzira kuna Hagari kubva kumatenga, ndokuti kwaari: Chii kwauri Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi remukomana apo paari.
  532. Gen 21:18 Simuka, simudza mukomana, uye mubate neruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.
  533. Gen 21:19 Mwari ndokusvinudza meso ake, zvino wakaona tsime remvura, ndokuenda, ndokuzadza guchu nemvura, ndokunwisa mukomana.
  534. Gen 21:20 Zvino Mwari wakava nemukomana, ndokukura, ndokugara murenje, ndokuva mufuri wemiseve.
  535. Gen 21:21 Zvino wakagara murenje reParani; mai vake ndokumutorera mukadzi kubva kunyika yeEgipita.
  536. Gen 21:22 Zvino zvakaitika panguva iyo kuti Abhimereki naPikori mukuru wehondo yake vakataura kuna Abhurahama, vachiti: Mwari anewe pazvose zvaunoita.
  537. Gen 21:23 Naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini kana mwanakomana wangu kana vazukuru vangu; setsitsi dzandakakuitira uchaitawo kwandiri nekunyika yawakagara uri mutorwa.
  538. Gen 21:24 Abhurahama ndokuti: Ini ndichapika.
  539. Gen 21:25 Zvino Abhurahama wakatsiura Abhimereki nekuda kwetsime remvura varanda vaAbhimereki ravaiva vatora nesimba.
  540. Gen 21:26 Abhimereki ndokuti: Handizivi wakaita chinhu ichi; newe hauna kundiudzawo, uye ini handina kuzvinzwawo, asi nhasi.
  541. Gen 21:27 Abhurahama ndokutora makwai nemombe, ndokupa kuna Abhimereki; uye vakaita sungano vari vaviri.
  542. Gen 21:28 Abhurahama ndokutsaura masheche manomwe emakwai eboka.
  543. Gen 21:29 Abhimereki ndokuti kuna Abhurahama: Masheche emakwai awa manomwe awatsaura chii?
  544. Gen 21:30 Iye ndokuti: Nokuti uchagamuchira paruoko rwangu masheche awa emakwai manomwe, kuti ave uchapupu kwandiri, kuti ndakachera tsime iri.
  545. Gen 21:31 Naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo kuti Bheeri-Shebha, nokuti ipapo vakapika vari vaviri.
  546. Gen 21:32 Saizvozvo vakaita sungano paBheeri-Shebha. Abhimereki ndokusimuka, naPikori mukuru wehondo yake, ndokudzokera kunyika yevaFirisitia.
  547. Gen 21:33 Zvino wakasima mutamarisiki paBheeri-Shebha, ndokudana ipapo zita raJehovha Mwari wekusingaperi.
  548. Gen 21:34 Abhurahama ndokugara ari mutorwa panyika yevaFirisitia mazuva mazhinji.
  549. Gen 22:1 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Mwari wakaedza Abhurahama ndokuti kwaari: Abhurahama! Iye ndokuti: Tarirai ndini.
  550. Gen 22:2 Ndokuti: Tora hako mwanakomana wako, umwe chete wako, waunoda, Isaka, ugozviendera kunyika yeMoria; ugomubaira ipapo ave chibairo chinopiswa pamusoro perimwe remakomo randichakuudza.
  551. Gen 22:3 Abhurahama ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokusungira chigaro pambongoro yake, ndokutora vaviri vemajaya ake pamwe naye, naIsaka mwanakomana wake. Zvino wakatsemura huni dzechibairo chinopiswa, ndokusimuka ndokuenda kunzvimbo Mwari yaakamuudza.
  552. Gen 22:4 Zvino nezuva retatu Abhurahama wakasimudza meso ake ndokuona nzvimbo iri kure.
  553. Gen 22:5 Abhurahama ndokuti kumajaya ake: Imwi sarai pano nembongoro, zvino ini nemukomana tichienda uko nekunoshumira, tigodzoka kwamuri.
  554. Gen 22:6 Abhurahama ndokutora huni dzechibairo chinopiswa, ndokutakudza pana Isaka mwanakomana wake; ndokutora moto nebanga muruoko rwake, ndokuenda vari vaviri pamwe.
  555. Gen 22:7 Isaka ndokutaura kuna Abhurahama baba vake ndokuti: Baba vangu! Iye ndokuti: Ndiri pano, mwanakomana wangu. Iye ndokuti: Tarirai, moto nehuni; asi gwayana rechibairo chinopiswa riripi?
  556. Gen 22:8 Abhurahama ndokuti: Mwari achazvionera gwayana rechibairo chinopiswa, mwanakomana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri pamwe.
  557. Gen 22:9 Zvino vakasvika panzvimbo Mwari yaaiva amuudza; Abhurahama ndokuvakapo aritari; ndokurongedza huni; ndokusunga Isaka mwanakomana wake, ndokumuisa paaritari pamusoro pehuni.
  558. Gen 22:10 Zvino Abhurahama wakatandavadza ruoko rwake, ndokutora banga kuti abaye mwanakomana wake.
  559. Gen 22:11 Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari kubva kumatenga ndokuti: Abhurahama! Abhurahama! Iye ndokuti: Ndiri pano.
  560. Gen 22:12 Zvino wakati: Usaisa ruoko rwako pamukomana, kana kumuitira chinhu, nokuti ikozvino ndinoziva kuti unotya Mwari, sezvo usina kundinyima mwanakomana wako umwe chete wako.
  561. Gen 22:13 Abhurahama ndokusimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira gondohwe shure raiva rakabatwa mudenhere nenyanga dzaro. Abhurahama ndokuenda ndokutora gondohwe, ndokuribaira kuva chibairo chinopiswa panzvimbo yemwanakomana wake.
  562. Gen 22:14 Abhurahama ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Jehovha-Jire; sezvo kuchinzi nanhasi: Pagomo raJehovha zvichaonerwa.
  563. Gen 22:15 Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kuna Abhurahama rwechipiri kubva kumatenga,
  564. Gen 22:16 ndokuti: Ndakapika neni ndomene, anoreva Jehovha, nekuda kwekuti waita chinhu ichi, uye hauna kunyima mwanakomana wako, umwe chete wako;
  565. Gen 22:17 ndichakuropafadza nekuropafadza zvirokwazvo, uye ndichawanza nekuwanza chizvarwa chako senyeredzi dzekumatenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; uye chizvarwa chako chichava varidzi vesuwo revavengi vacho;
  566. Gen 22:18 nemuchizvarwa chako marudzi ose enyika acharopafadzwa, nokuti wakateerera kuinzwi rangu.
  567. Gen 22:19 Zvino Abhurahama wakadzokera kumajaya ake; zvino vakasimuka ndokuenda vose kuBheeri-Shebha; Abhurahama ndokugara paBheeri-Shebha.
  568. Gen 22:20 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti kwakaudzwa Abhurahama zvichinzi: Tarira, Mirika iye wakaberekerawo munin’ina wako Nahori vana:
  569. Gen 22:21 Uzi dangwe rake, naBhuzi munin’ina wake, naKemueri baba vaAramu,
  570. Gen 22:22 naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.
  571. Gen 22:23 Bhetueri ndokubereka Rabheka. Ava vasere Mirika wakavaberekera Nahori, munin’ina waAbhurahama.
  572. Gen 22:24 Nemurongo wake, wainzi Reuma, iye wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.
  573. Gen 23:1 Zvino upenyu hwaSara hwaiva makore zana nemakore makumi maviri nemanomwe; [ndiwo] makore eupenyu hwaSara.
  574. Gen 23:2 Sara ndokufira paKiriyati-Aribha ndiro Hebhuroni panyika yeKenani. Abhurahama ndokuuya ndokuchema Sara nekumuririra.
  575. Gen 23:3 Zvino Abhurahama wakasimuka pachiso chewakafa wake, ndokutaura kuvanakomana vaHeti, achiti:
  576. Gen 23:4 Ndiri mutorwa nemweni ndinemwi, ndipei nzvimbo yangu yeguva pakati penyu, kuti ndivige wakafa wangu kubva pachiso changu.
  577. Gen 23:5 Zvino vanakomana vaHeti vakapindura Abhurahama vachiti kwaari:
  578. Gen 23:6 Tinzwei, ishe wangu, muri muchinda ane simba pakati pedu; vigai wakafa wenyu paguva rakanaka pamakuva edu; hakuna umwe wedu angakunyimai guva rake kuti musaviga wakafa wenyu.
  579. Gen 23:7 Zvino Abhurahama wakasimuka, ndokukotamira kuvanhu venyika iyo, kuvanakomana vaHeti,
  580. Gen 23:8 ndokutaura navo achiti: Kana chiri chido chenyu kuti ndivige wakafa wangu kubva pachiso changu, ndinzwei, mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari,
  581. Gen 23:9 kuti andipe bako reMakipera raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro nemari yakazara, ive nzvimbo yangu yeguva pakati penyu.
  582. Gen 23:10 Zvino Efuroni waiva agere pakati pevanakomana vaHeti; Efuroni muHeti ndokupindura Abhurahama munzeve dzevanakomana vaHeti, dzevose vaipinda pasuwo reguta rake, achiti:
  583. Gen 23:11 Kwete, ishe wangu, ndinzwei; munda ndinokupai, nebako riri mauri ndinoripa kwamuri; pamberi pemeso evanakomana vevanhu vangu ndinoripa kwamuri; vigai wakafa wenyu.
  584. Gen 23:12 Abhurahama ndokukotamira pasi pamberi pevanhu venyika iyo.
  585. Gen 23:13 Zvino wakataura kuna Efuroni munzeve dzevanhu venyika achiti: Asi kana uri iwe, nditeerere hako; ndichapa mari yemunda; ugamuchire kwandiri, ndigoviga wakafa wangupo.
  586. Gen 23:14 Efuroni ndokupindura Abhurahama achiti kwaari:
  587. Gen 23:15 Ishe wangu, nditeererei; munda mashekeri esirivha mazana mana, chii ichocho pakati pangu nemwi? Naizvozvo vigai wakafa wenyu.
  588. Gen 23:16 Abhurahama ndokuteerera kuna Efuroni. Zvino Abhurahama wakayerera Efuroni sirivha yaakareva munzeve dzevanakomana vaHeti, mashekeri esirivha mazana mana, anogamuchirwa kumutengesi.
  589. Gen 23:17 Naizvozvo munda waEfuroni waiva uri paMakipera pakatarisana neMamure, munda nebako raiva ririmo, nemiti yose yaiva iri mumunda yaiva iri pamiganhu yose yakapoteredza zvakasimbiswa
  590. Gen 23:18 kuna Abhurahama kuva zvake pamberi pemeso evanakomana VaHeti, pakati pevose vaipinda pasuwo reguta rake.
  591. Gen 23:19 Zvino shure kweizvi Abhurahama wakaviga Sara mukadzi wake mubako remunda weMakipera pakatarisana neMamure, ndiro Hebhuroni panyika yeKenani.
  592. Gen 23:20 Zvino munda nebako raivamo zvakasimbiswa kuna Abhurahama kuva nzvimbo yake yeguva kubva kuvanakomana vaHeti.
  593. Gen 24:1 Zvino Abhurahama waiva akwegura, ava nemazuva mazhinji; naJehovha waiva aropafadza Abhurahama pazvinhu zvose.
  594. Gen 24:2 Abhurahama ndokuti kumuranda wake, mukurusa weimba yake, waitonga pamusoro pezvose zvaaiva anazvo: Isa hako chanza chako pasi pechidya changu,
  595. Gen 24:3 ndigokupikisa naJehovha, Mwari wematenga naMwari wepasi, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi pavakunda vevaKenani vandinogara pakati pavo;
  596. Gen 24:4 asi uchaenda kunyika yekwangu nekuhama dzangu, ugonotorera mwanakomana wangu Isaka mukadzi.
  597. Gen 24:5 Zvino muranda wakati kwaari: Zvimwe mukadzi angasada kunditevera kunyika ino; ndingadzosera zvirokwazvo mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?
  598. Gen 24:6 Abhurahama ndokuti kwaari: Uzvichenjerere kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.
  599. Gen 24:7 Jehovha Mwari wekumatenga, wakanditora kubva paimba yababa vangu nekubva munyika yechizvarigo changu, uye wakataura neni, newakandipikira, achiti: Kuchizvarwa chako ndichapa nyika ino; iye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere ikoko mwanakomana wangu mukadzi.
  600. Gen 24:8 Asi kana mukadzi asingadi kukutevera, ipapo iwe uchasununguka pamhiko yangu iyi; chete usadzosera mwanakomana wangu ikoko.
  601. Gen 24:9 Muranda ndokuisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahama tenzi wake, ndokupika kwaari pamusoro penyaya iyi.
  602. Gen 24:10 Muranda ndokutora makamera gumi pamakamera atenzi wake, ndokuenda; nenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake dzaiva muruoko rwake; ndokusimuka ndokuenda kuMesopotamia kuguta raNahori.
  603. Gen 24:11 Zvino wakafugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura panguva yemadekwani, nguva iyo yekubuda kwevakadzi vekuchera mvura.
  604. Gen 24:12 Zvino wakati: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, ngazviitike kwandiri hazvo, muitire tsitsi tenzi wangu Abhurahama.
  605. Gen 24:13 Tarirai, ndimire patsime remvura, uye vakunda vevanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
  606. Gen 24:14 Zvino ngazviitike, kuti musikana wandichati kwaari: Rerekawozve chirongo chako kuti ndinwe; iye ndokuti: Inwai, nemakamera enyuwo ndichaanwisa; ndiye wamakamisira muranda wenyu Isaka; uye naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu tsitsi.
  607. Gen 24:15 Zvino zvakaitika asati apedza kutaura, kuti tarira, Rabheka wakabuda, wakaberekerwa Bhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munin’ina waAbhurahama, uye chirongo chiri pafudzi rake.
  608. Gen 24:16 Zvino musikana waiva akanaka kwazvo pakuonekera, mhandara, uye isina murume wakamboiziva; ndokuburukira kutsime, ndokuzadza chirongo chake, ndokukwira.
  609. Gen 24:17 Zvino muranda wakamhanyira kunomuchingamidza, ndokuti: Dondinwisawo svimvura pachirongo chako.
  610. Gen 24:18 Iye ndokuti: Inwai, ishe wangu. Zvino wakakurumidza ndokutura chirongo chake paruoko rwake, ndokumupa kuti anwe.
  611. Gen 24:19 Zvino apedza kumupa kuti anwe wakati: Ndichachererawo makamera enyu kusvika apedza kunwa.
  612. Gen 24:20 Zvino akakurumidza ndokudururira chirongo chake muchinwiro, ndokumhanyirazve kutsime kunochera, ndokucherera makamera ake ose.
  613. Gen 24:21 Murume ndokumutarisisa anyerere, kuti azive kuti Jehovha abudiririsa rwendo rwake kana kwete.
  614. Gen 24:22 Zvino zvakaitika makamera apedza kunwa, kuti murume wakatora chindori chegoridhe chine uremu hwehafu yeshekeri, nezvishongo zviviri zvemaoko ake, uremu hwazvo hwaiva mashekeri gumi egoridhe;
  615. Gen 24:23 ndokuti: Uri mukunda waani? Ndiudze hako. Kune nzvimbo yedu here kumba kwababa vako kuti tirare?
  616. Gen 24:24 Iye ndokuti kwaari: Ndiri mukunda waBhetueri mwanakomana waMirika waakaberekera Nahori.
  617. Gen 24:25 Akatiwo kwaari: Zvose tinazvo majanga nekudya kwezvipfuwo kuzhinji, nenzvimbo yekurara.
  618. Gen 24:26 Murume ndokukotama, ndokunamata Jehovha.
  619. Gen 24:27 Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahama, asina kurega nyasha dzake nekutendeka kwake kuna tenzi wangu; ndiri ini, ndiri munzira, Jehovha wakanditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.
  620. Gen 24:28 Zvino musikana wakamhanya, ndokunoudza veimba yamai vake zvezvinhu izvi.
  621. Gen 24:29 Zvino Rabheka waiva nehanzvadzi, nezita rake raiva Rabhani; Rabhani ndokumhanyira panze kumurume kutsime.
  622. Gen 24:30 Uye zvakaitika paakaona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, uye wakati anzwa mashoko aRabheka hanzvadzi yake, achiti: Ndizvo zvataura murume kwandiri; kuti wakaenda kumurume, zvino tarira, amire pamakamera patsime.
  623. Gen 24:31 Zvino wakati: Pinda iwe wakaropafadzwa waJehovha; wakamirirei kunze? Nokuti ini ndagadzirira imba nenzvimbo yemakamera.
  624. Gen 24:32 Murume ndokuuya mumba, ndokusunungura makamera. Makamera ndokupiwa majanga nezvekudya zvezvipfuwo, akapiwawo mvura yekushambidza tsoka dzake netsoka dzevarume vaiva naye.
  625. Gen 24:33 Zvino kwakagadzikwa pamberi pake kudya kuti adye; asi iye wakati: Handingadyi kusvika ndataura shoko rangu. Iye ndokuti: Taura.
  626. Gen 24:34 Zvino wakati: Ndiri muranda waAbhurahama.
  627. Gen 24:35 Zvino Jehovha wakaropafadza tenzi wangu zvikuru, kusvika ava mukuru, wakamupawo makwai, nemombe, nesirivha, negoridhe, nevarandarume, nevarandakadzi, nemakamera, nembongoro.
  628. Gen 24:36 NaSara mukadzi watenzi wangu wakaberekera tenzi wangu mwanakomana shure kwekunge akwegura; zvino wakamupa zvose zvaanazvo.
  629. Gen 24:37 Zvino tenzi wangu wakandipikisa achiti: Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvakunda vevaKenani, vandinogara munyika mavo;
  630. Gen 24:38 asi uchaenda kuimba yababa vangu nekuhama dzangu, ugonotorera mwanakomana wangu mukadzi.
  631. Gen 24:39 Zvino ndakati kuna tenzi wangu: Zvimwe mukadzi haanganditeveri.
  632. Gen 24:40 Iye ndokuti kwandiri: Jehovha wandinogarofamba pamberi pake achatuma mutumwa wake newe, uye achabudiririsa nzira yako; zvino uchatorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuhama dzangu uye kuimba yababa vangu.
  633. Gen 24:41 Ipapo uchazosununguka pamhiko yangu, kana wasvika kuhama dzangu, uye kana vasingakupi iye, ipapo uchasununguka pamhiko yangu.
  634. Gen 24:42 Zvino ndasvika nhasi kutsime, ndokuti: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, kana muchibudiririsa henyu nzira yangu yandinofamba nayo;
  635. Gen 24:43 tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitike kuti mhandara inobuda kuzochera, ndikati kwaari: Dondipawo svimvura pachirongo chako, ndinwe;
  636. Gen 24:44 iye ndokuti kwandiri: Inwai imwiwo, uye ndichacherera makamera enyu; ave ndiye mukadzi Jehovha waakatsaurira mwanakomana watenzi wangu.
  637. Gen 24:45 Ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, tarira, Rabheka wabuda ane chirongo pafudzi rake; ndokuburukira kutsime, ndokuchera. Zvino ndati kwaari: Dondipawo ndinwe.
  638. Gen 24:46 Iye ndokukurumidza, ndokutura chirongo chake kubva paari ndokuti: Inwai, uye ndichanwisa makamera enyuwo; ini ndokunwa, uye akanwisa makamerawo.
  639. Gen 24:47 Zvino ndamubvunza ndokuti: Uri mukunda waani? Iye ndokuti: Mukunda waBhetueri mwanakomana waNahori, Mirika waakamuberekera; zvino ndaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
  640. Gen 24:48 Zvino ndikakotama, ndokunamata Jehovha, ndikakudza Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye wakanditungamirira panzira yakarurama, kuti mukunda wemunin’ina watenzi wangu ndimutorere mwanakomana wake.
  641. Gen 24:49 Zvino ikozvino kana muchiitira tenzi wangu ngoni nekutendeka, ndiudzei; uye kana zvisakadaro, ndiudzei, kuti nditendeukire kurudyi kana kuruboshwe.
  642. Gen 24:50 Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura ndokuti: Chinhu ichi chinobva kuna Jehovha; hatigoni kutaura kwauri chakaipa kana chakanaka.
  643. Gen 24:51 Tarira, Rabheka ari pamberi pako, tora uende, kuti ave mukadzi wemwanakomana watenzi wako, Jehovha sezvaakareva.
  644. Gen 24:52 Zvino zvakaitika, kuti muranda waAbhurahama paakanzwa mashoko avo, wakakotamira pasi pamberi paJehovha.
  645. Gen 24:53 Muranda ndokubudisa zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvegoridhe, nenguvo, ndokupa kuna Rabheka, akapawo hanzvadzi yake namai vake zvinhu zvinokosha.
  646. Gen 24:54 Zvino vakadya ndokunwa, iye nevarume vaiva naye, ndokurara, ndokumuka mangwanani, iye ndokuti: Ndiregei ndiende kuna tenzi wangu.
  647. Gen 24:55 Asi hanzvadzi yake namai vake vakati: Musikana ngaagare nesu mazuva kana gumi, shure kweizvozvi angaenda.
  648. Gen 24:56 Zvino wakati kwavari: Musandinonosa, Jehovha zvaakabudiririsa nzira yangu; regai ndiende kuti ndiende kuna tenzi wangu.
  649. Gen 24:57 Ivo ndokuti: Ngatidane musikana, tibvunze pamuromo wake.
  650. Gen 24:58 Zvino vakadana Rabheka, ndokuti kwaari: Uchaenda nemurume uyu here? Iye ndokuti: Ndichaenda.
  651. Gen 24:59 Zvino vakarega Rabheka hanzvadzi yavo achienda, nemureri wake, nemuranda waAbhurahama nevarume vake.
  652. Gen 24:60 Zvino vakaropafadza Rabheka, ndokuti kwaari: Iwe hanzvadzi yedu, uve zvuru zvemamiriyoni, uye chizvarwa chako ngachive varidzi vesuwo revanochivenga.
  653. Gen 24:61 Zvino Rabheka wakasimuka nevasikana vake, ndokutasva makamera, ndokutevera murume uyo; muranda ndokutora Rabheka, ndokuenda.
  654. Gen 24:62 Zvino Isaka wakasvika kubva pamusuwo wetsime Rahai-Royi; nokuti waigara kunyika yekuchamhembe.
  655. Gen 24:63 Zvino Isaka wakabuda kunorangarira kusango kovira; ndokusimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira, makamera anouya.
  656. Gen 24:64 Zvino Rabheka wakasimudza meso ake; ndokuti aona Isaka akazviwisa kubva pakamera.
  657. Gen 24:65 Ndokuti kumuranda: Ndiani murume uyu anofamba musango kuzotichingamidza? Muranda ndokuti: Nditenzi wangu. Iye ndokutora vheiri yake, ndokuzvifukidza.
  658. Gen 24:66 Zvino muranda wakarondedzera Isaka zvinhu zvose zvaaiva aita.
  659. Gen 24:67 Isaka ndokumuisa mutende ramai vake Sara, ndokutora Rabheka, ndokuva mukadzi wake; ndokumuda. Isaka ndokunyaradzwa shure kwekufa kwamai vake.
  660. Gen 25:1 Zvino Abhurahama wakawanazve mukadzi, uye zita rake raiva Ketura.
  661. Gen 25:2 Iye ndokumuberekera Zimurani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
  662. Gen 25:3 Jokishani ndokubereka Shebha naDhedhani. Zvino vanakomana vaDhedhani vaiva VaAshuri nevaRetushi nevaReumi.
  663. Gen 25:4 Nevanakomana vaMidhiani: Efa naEferi naHanoki naAbhidha naEridhaha. Ava vose vana vaKetura.
  664. Gen 25:5 Abhurahama ndokupa zvose zvaaiva nazvo kuna Isaka.
  665. Gen 25:6 Asi kuvanakomana vevarongo Abhurahama vaaiva navo, Abhurahama wakapa zvipo; akavaendesa kubva pana Isaka mwanakomana wake, iye achiri mupenyu, akavatuma kumabvazuva kunyika yekumabvazuva.
  666. Gen 25:7 Zvino awa mazuva emakore eupenyu hwaAbhurahama aakararama: Makore zana nemakumi manomwe nemashanu.
  667. Gen 25:8 Abhurahama ndokupera, ndokufa pakukwegura kwakanaka, achembera uye agutsikana, ndokuunganidzwa pamarudzi ekwake.
  668. Gen 25:9 Zvino Isaka naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakipera, mumunda waEfuroni mwanakomana waZohari muHeti, wakatarisana neMamure,
  669. Gen 25:10 munda Abhurahama waakatenga kuvanakomana vaHeti; ndipo Abhurahama paakavigwa pamwe naSara mukadzi wake.
  670. Gen 25:11 Zvino zvakaitika shure kwekufa kwaAbhurahama, kuti Mwari wakaropafadza Isaka mwanakomana wake; Isaka ndokugara patsime reRahai-Royi.
  671. Gen 25:12 Zvino izvi zvizvarwa zvaIshimaeri mwanakomana waAbhurahama, Hagari muEgipita, murandakadzi waSara, waakaberekera Abhurahama.
  672. Gen 25:13 Zvino awa mazita evanakomana vaIshimaeri nemazita avo zvichienderana nekuzvarwa kwavo: Dangwe raIshimaeri ndiNebhayoti, naKedhari, naAdhibheeri, naMibhisami,
  673. Gen 25:14 naMishima, naDhuma, naMasa,
  674. Gen 25:15 Hadhadhi, naTema, Jeturi, Nafishi, naKedhema;
  675. Gen 25:16 ava vanakomana vaIshimaeri, uye awa mazita avo nemisha yavo uye nematumba avo; machinda gumi nemaviri zvichienderana nemarudzi avo.
  676. Gen 25:17 Uye awa makore eupenyu hwaIshimaeri, makore zana nemakumi matatu nemanomwe; iye ndokupera, ndokufa, ndokuunganidzwa pamarudzi ekwake.
  677. Gen 25:18 Zvino vakagara kubva paHavhira kusvika paShuri iri mberi kweEgipita, uchienda kuAsiriya; akawira pamberi pechiso chehama dzake dzose.
  678. Gen 25:19 Zvino awa mazera aIsaka mwanakomana waAbhurahama: Abhurahama wakabereka Isaka.
  679. Gen 25:20 Zvino Isaka waiva wemakore makumi mana pakuwana kwake Rabheka mukunda waBhetueri muSiriya wePadhani-Aramu, hanzvadzi yaRabhani muSiriya, kuva mukadzi wake.
  680. Gen 25:21 Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti waiva ari mhanje; Jehovha ndokunyengetereka naye, Rabheka mukadzi wake ndokubata mimba.
  681. Gen 25:22 Zvino vana vakapipiridzana mukati make, iye ndokuti: Kana zvakadaro, sei ndakadai? Ndokunobvunza Jehovha.
  682. Gen 25:23 Jehovha ndokuti kwaari: Marudzi maviri ari muchizvaro chako, uye marudzi maviri achaparadzana kubva muura hwako. Zvino rudzi ruchasimba pane rumwe rudzi, uye mukuru achashumira mudiki.
  683. Gen 25:24 Zvino mazuva ake ekubereka akati azadziswa, tarira, mapatya muchizvaro chake.
  684. Gen 25:25 Zvino wekutanga akabuda ari mutsvuku, wose akaita senguvo ine mvere; ivo ndokutumidza zita rake Esau.
  685. Gen 25:26 Zvino pashure paizvozvo munin’ina wake wakabuda, uye ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; iye ndokutumidza zita rake Jakove. Zvino Isaka waiva wemakore makumi matanhatu pakuvabereka.
  686. Gen 25:27 Vakomana ndokukura; Esau ndokuva mudzimba wakachenjera, murume wesango; uye Jakove murume wakarurama, achigara mumatende.
  687. Gen 25:28 Isaka ndokuda Esau, nokuti waidya nyama yemhuka, asi Rabheka wakada Jakove.
  688. Gen 25:29 Zvino Jakove waiva abika kudya kwakabikwa, Esau ndokusvika kubva kusango uye waiva oziya;
  689. Gen 25:30 Esau ndokuti kuna Jakove: Donditenderawo ndiminye zvezvitsvuku izvo zvitsvuku, nokuti ndoziya. Naizvozvo zita rake rakatumidzwa Edhomu.
  690. Gen 25:31 Jakove ndokuti: Nditengesere nhasi udangwe hwako.
  691. Gen 25:32 Esau ndokuti: Tarira, ndodofa; zvino udangwe chii kwandiri?
  692. Gen 25:33 Jakove ndokuti: Ndipikire nhasi. Iye ndokupika kwaari, ndokutengesa udangwe hwake kuna Jakove.
  693. Gen 25:34 Jakove ndokupa Esau chingwa nerupiza; iye ndokudya nekunwa, ndokusimuka ndokuenda; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.
  694. Gen 26:1 Zvino kwakava nenzara panyika, isiri nzara yekutanga yaivapo mumazuva aAbhurahama. Isaka ndokuenda kuna Abhimereki mambo wevaFirisitia kuGerari.
  695. Gen 26:2 Jehovha ndokuonekwa kwaari, ndokuti: Usaburukira kuEgipita, gara munyika yandichakuudza;
  696. Gen 26:3 gara semweni munyika iyi; uye ndichava newe ndigokuropafadza; nokuti kwauri nekuchizvarwa chako ndichapa nyika idzi dzose, uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna Abhurahama baba vako.
  697. Gen 26:4 Zvino ndichawanza chizvarwa chako senyeredzi dzematenga; uye ndichapa kuchizvarwa chako nyika idzi dzose; uye muchizvarwa chako marudzi ose enyika acharopafadzwa;
  698. Gen 26:5 nokuti Abhurahama wakateerera inzwi rangu, nekuchengeta kuraira kwangu, mirairo yangu, zvimiso zvangu, nemitemo yangu.
  699. Gen 26:6 Isaka ndokugara muGerari.
  700. Gen 26:7 Varume venyika iyo ndokubvunza zvemukadzi wake. Iye ndokuti: Ihanzvadzi yangu; nokuti wakatya kuti: Mukadzi wangu. Zvimwe varume venzvimbo iyo vangandiuraya nekuda kwaRabheka, nokuti waiva akanaka pakutarisika.
  701. Gen 26:8 Zvino zvakaitika avapo nguva refu kuti Abhimereki mambo wevaFirisitia wakatarira nepahwindo, ndokuona, zvino tarira, Isaka achitamba naRabheka mukadzi wake.
  702. Gen 26:9 Abhimereki ndokudana Isaka ndokuti: Zvirokwazvo tarira, mukadzi wako; zvino wakataura sei uchiti: Ihanzvadzi yangu? Isaka ndokuti kwaari: Nokuti ndakati: Zvimwe ndingafa nekuda kwake.
  703. Gen 26:10 Abhimereki ndokuti: Chii chawaita kwatiri? Zvanga zvakareruka kuti umwe wevanhu arare nemukadzi wako, zvino wounza mhosva pamusoro pedu.
  704. Gen 26:11 Abhimereki ndokuraira vanhu vose, achiti: Anobata murume uyu kana mukadzi wake, achaurawa zvirokwazvo.
  705. Gen 26:12 Zvino Isaka akadzvara munyika iyo, ndokuwana mugore iro zvakapetwa kane zana; Jehovha ndokumuropafadza.
  706. Gen 26:13 Zvino munhu uyu wakava mukuru, ndokuenderera mberi akakura kusvika ava mukuru zvikuru.
  707. Gen 26:14 Uye waiva nezvipfuwo zvemakwai nezvipfuwo zvemombe neushandiri uzhinji; naizvozvo vaFirisitia vakamugodora.
  708. Gen 26:15 Zvino matsime ose varanda vababa vake avaiva vachera pamazuva aAbhurahama baba vake, vaFirisitia vakaadzivira, vakaafusira nevhu.
  709. Gen 26:16 Abhimereki ndokuti kuna Isaka: Ibva kwatiri, nokuti une simba kwazvo kupfuura isu.
  710. Gen 26:17 Isaka ndokubvapo, ndokudzika matende mumupata weGerari, ndokugarapo.
  711. Gen 26:18 Isaka ndokucherazve matsime emvura, avaiva vachera pamazuva aAbhurahama baba vake, nokuti vaFirisitia vaiva vaadzivira shure kwekufa kwaAbhurahama. Ndokuatumidza mazita nemazita baba vake avaiva vaatumidza.
  712. Gen 26:19 Varanda vaIsaka ndokuchera mumupata, ndokuwanapo tsime remvura inotubuka.
  713. Gen 26:20 Vafudzi veGerari ndokukakavadzana nevafudzi vaIsaka, vachiti: Mvura ndeyedu. Zvino akatumidza zita retsime kuti Eseki, nokuti vakaita nharo naye.
  714. Gen 26:21 Zvino vakachera rimwe tsime, ndokuriitirana nharozve; iye ndokutumidza zita raro Sitina.
  715. Gen 26:22 Zvino wakaenderera mberi kubva ipapo, ndokuchera rimwe tsime, iro havana kuriitirana nharo. Ndokutumidza zita raro Rehobhoti, akati: Nokuti ikozvino Jehovha watiitira nzvimbo, uye tichabereka panyika.
  716. Gen 26:23 Zvino wakakwira kubvapo kuenda Bheeri-Shebha.
  717. Gen 26:24 Jehovha ndokuonekwa kwaari usiku ihwohwo ndokuti: Ndini Mwari waAbhurahama baba vako. Usatya nokuti ndinewe, uye ndichakuropafadza nekuwanza mbeu yako nekuda kwaAbhurahama muranda wangu.
  718. Gen 26:25 Zvino wakavaka aritari ipapo, ndokudana muzita raJehovha, ndokudzika tende rake ipapo, zvino ipapo varanda vaIsaka vakachera tsime.
  719. Gen 26:26 Zvino Abhimereki wakaenda kwaari kubva paGerari naAhuzati shamwari yake naFikori mukuru wehondo yake.
  720. Gen 26:27 Isaka ndokuti kwavari: Mauyirei kwandiri, zvamunondivenga, uye makandidzinga kwamuri?
  721. Gen 26:28 Ivo ndokuti: Taona zvirokwazvo kuti Jehovha anewe; naizvozvo tati: Ngapave hapo nemhiko pakati pedu, pakati pedu newe, uye ngatiite sungano newe,
  722. Gen 26:29 kuti usatiitira chakaipa, sezvo tisina kukubata, uye sezvo takakuitira zvakanaka chete, uye takakuendesa murugare; iwe ikozvino uri muropafadzwa waJehovha.
  723. Gen 26:30 Iye ndokuvaitira mabiko, ndokudya ndokunwa.
  724. Gen 26:31 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, ndokupikirana; Isaka ndokuvarega vachienda, zvino vakabva kwaari murugare.
  725. Gen 26:32 Zvino zvakaitika nezuva iro, kuti varanda vaIsaka vakauya, ndokumuudza pamusoro penyaya yetsime ravaiva vachera, ndokuti kwaari: Tawana mvura.
  726. Gen 26:33 Zvino akaritumidza kuti Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheeri-Shebha kusvika nhasi.
  727. Gen 26:34 Zvino Esau wakati ava wemakore makumi mana ndokutora kuva mukadzi Judhiti mukunda waBheeri muHeti naBhasimati mukunda waEroni muHeti.
  728. Gen 26:35 Ivavo vakava chishungurudzo chemoyo kuna Isaka nekuna Rabheka.
  729. Gen 27:1 Zvino zvakaitika kuti Isaka akwegura, meso ake oonera madzedzerere asingachaoni, zvino wakadana Esau mwanakomana wake mukuru, ndokuti kwaari: Mwanakomana wangu! Iye ndokuti kwaari: Tarirai ndiri [pano].
  730. Gen 27:2 Akabva ati: Tarira hako, ndakwegura, handizivi zuva rekufa kwangu.
  731. Gen 27:3 Naizvozvo ikozvino, tora hako zvombo zvako, goba rako, negangauta rako, ugobudira kusango undivhimire nyama yemhuka,
  732. Gen 27:4 ugondiitira zvinonaka sezvandinoda, ugondivigira kuti ndidye, kuti mweya weupenyu wangu ukuropafadze ndisati ndafa.
  733. Gen 27:5 Zvino Rabheka wakanzwa Isaka paaitaura naEsau mwanakomana wake. Esau ndokuenda kusango kunovhima nyama yemhuka kuti auye nayo.
  734. Gen 27:6 Rabheka ndokutaura kuna Jakove mwanakomana wake, achiti: Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura kuna Esau mukoma wako vachiti:
  735. Gen 27:7 Ndivigire nyama yemhuka, ugondiitira zvinonaka kuti ndidye, ndigokuropafadza pamberi paJehovha ndisati ndafa.
  736. Gen 27:8 Naizvozvo ikozvino mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu kune zvandinokuraira.
  737. Gen 27:9 Chidoenda kuboka rezvipfuwo, ugonditorere kubva ipapo mbudzana dzembudzi mbiri dzakanaka; zvino ndichaitira baba vako zvinonaka sezvavanoda;
  738. Gen 27:10 ugoendesa kuna baba vako, vagodya, kuti vakuropafadze vasati vafa.
  739. Gen 27:11 Jakove ndokuti kuna Rabheka mai vake: Tarirai, Esau mukoma wangu murume ane mvere, asi ndiri murume wakatsetseka.
  740. Gen 27:12 Zvimwe baba vangu vachandipurudzira, ndokuva pameso avo sekumhura; zvino ndichazviuisira kutukwa uye kwete ropafadzo.
  741. Gen 27:13 Mai vake ndokuti kwaari: Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwanakomana wangu; chete teerera inzwi rangu, ugoenda unditorere.
  742. Gen 27:14 Zvino wakaenda, ndokudzitora, ndokudziunza kuna mai vake; mai vake ndokuita zvinonaka baba vake sezvavaida.
  743. Gen 27:15 Zvino Rabheka wakatora nguvo dzakanaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, ndokudzipfekedza Jakove mwanakomana wake mudiki;
  744. Gen 27:16 zvino zvikumba zvembudzana dzembudzi wakazviisa pamaoko ake nepakatsetseka pemutsipa wake.
  745. Gen 27:17 Zvino wakapa zvinonaka nechingwa zvaaiva aita muruoko rwaJakove mwanakomana wake.
  746. Gen 27:18 Iye ndokuenda kuna baba vake ndokuti: Baba vangu! Ivo ndokuti: Ndiri pano; ndiwe ani mwanakomana wangu?
  747. Gen 27:19 Jakove ndokuti kuna baba vake: Ndini Esau dangwe renyu; ndaita sezvamandiudza; mukai henyu, garai mudye zvenyama yangu yemhuka, kuti mweya weupenyu wenyu undiropafadze.
  748. Gen 27:20 Isaka ndokuti kumwanakomana wake: Sei waiwana nekukurumidza zvakadai mwanakomana wangu? Iye ndokuti: Nokuti Jehovha Mwari wenyu waiunza pamberi pangu.
  749. Gen 27:21 Isaka ndokuti kuna Jakove: Swedera hako kuti ndikupurudzire, mwanakomana wangu, ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau amene here kana kwete.
  750. Gen 27:22 Jakove ndokuswedera kuna Isaka baba vake; ivo ndokumupurudzira ndokuti: Inzwi inzwi raJakove, asi maoko maoko aEsau.
  751. Gen 27:23 Asi haana kumuziva nokuti maoko ake aiva ane mvere semaoko emukoma wake Esau; naizvozvo wakamuropafadza.
  752. Gen 27:24 Ndokuti: Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye ndokuti: Ndini.
  753. Gen 27:25 Zvino wakati: Swededza kwandiri kuti ndidye zvenyama yemhuka yemwanakomana wangu, kuti mweya weupenyu wangu ukuropafadze. Jakove ndokuswededza kwaari, iye ndokudya; Jakove ndokumuvigira waini, iye ndokunwa.
  754. Gen 27:26 Zvino Isaka baba vake vakati kwaari: Swedera hako ugonditsvoda, mwanakomana wangu.
  755. Gen 27:27 Zvino wakaswedera ndokumutsvoda; ndokunzwa munhuhwi wenguvo dzake, ndokumuropafadza, ndokuti: Tarira, munhuhwi wemwanakomana wangu wakaita semunhuhwi wemunda Jehovha waakaropafadza.
  756. Gen 27:28 Naizvozvo Mwari ngaakupe zvedova rekumatenga, uye zvekukora kwenyika, nezviyo newaini itsva zvakawanda.
  757. Gen 27:29 Vanhu ngavakushumire, nemarudzi ngaakufugamire. Iva ishe wehama dzako, nevanakomana vamai vako ngavakufugamire. Anokutuka ngaatukwe, uye anokuropafadza ngaaropafadzwe.
  758. Gen 27:30 Zvino zvakaitika Isaka paakapedza kuropafadza Jakove, uye Jakove wakati achangobuda pachiso chaIsaka baba vake, kuti Esau mukoma wake wakasvika achibva pakuvhima kwake.
  759. Gen 27:31 Naiye wakaita zvinonaka ndokuuya nazvo kuna baba vake; ndokuti kuna baba vake: Baba vangu ngavamuke, vadye zvenyama yemhuka yemwanakomana wavo, kuti mweya weupenyu wenyu undiropafadze.
  760. Gen 27:32 Zvino Isaka baba vake vakati kwaari: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.
  761. Gen 27:33 Isaka ndokubvunda nekubvunda kukurusa, ndokuti: Ko ndiani wavhima nyama yemhuka akauya nayo kwandiri? Ndikadya zvayo zvose usati wasvika; zvino ndamuropafadza; hongu acharopafadzwa.
  762. Gen 27:34 Esau wakati anzwa mashoko ababa vake, akachema nekuchema kukuru kunorwadza zvikurusa, ndokuti kuna baba vake: Ndiropafadzei, iniwo, baba vangu!
  763. Gen 27:35 Zvino akati: Munin’ina wako wauya neunyengeri, ndokutora ropafadzo yako.
  764. Gen 27:36 Zvino akati: Imhaka yekuti vakatumidza zita rake Jakove here, kuti wandinyengedzera kaviri aka; udangwe hwangu wakatora, zvino tarira, ikozvino watora ropafadzo yangu. Ndokuti: Hamuna kundichengetera ropafadzo here?
  765. Gen 27:37 Isaka ndokupindura ndokuti kuna Esau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndapa kwaari vave varanda; uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva; saka chii chandingachakuitira, mwanakomana wangu?
  766. Gen 27:38 Esau ndokuti kuna baba vake: Mune ropafadzo imwe yoga here, baba vangu? Ndiropafadzei iniwo, baba vangu. Esau ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
  767. Gen 27:39 Zvino Isaka baba vake vakapindura ndokuti kwaari: Tarira, ugaro hwako huchava kure nekukora kwenyika, uye kure nedova rekumatenga rinobva kumusoro.
  768. Gen 27:40 Uye nemunondo wako uchararama, uye uchashumira munin’ina wako. Asi zvichaitika pauchadzungaira, kuti uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.
  769. Gen 27:41 Zvino Esau wakavenga Jakove nekuda kweropafadzo baba vake yavakamuropafadza nayo. Esau ndokuti mumoyo make: Mazuva ekuchema baba vangu aswedera, zvino ndichauraya munin’ina wangu Jakove.
  770. Gen 27:42 Zvino mashoko awa aEsau mwanakomana wake mukuru akaudzwa Rabheka, iye ndokutuma nhume kunodana Jakove mwanakomana wake mudiki, ndokuti kwaari: Tarira, Esau mukoma wako unozvivaraidza pamusoro pako kuti akuuraye.
  771. Gen 27:43 Naizvozvo ikozvino, mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu; ugosimuka uzvitizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani,
  772. Gen 27:44 uye ugare naye mazuva mashoma, kusvika hasha dzemukoma wako dzaserera,
  773. Gen 27:45 kusvika kutsamwa kwemukoma wako kwaserera kubva kwauri, uye akanganwa zvawamuitira; ipapo ndichatuma kuzokutora kubva ikoko; nemhaka yei ndicharasikirwa nemwi muri vaviri nemusi umwe?
  774. Gen 27:46 Rabheka ndokuti kuna Isaka: Ndashungurudzika neupenyu hwangu nekuda kwevakunda vaHeti; kana Jakove akatora mukadzi kuvakunda vaHeti sevava, kuvakunda venyika ino, upenyu huchava chii kwandiri?
  775. Gen 28:1 Zvino Isaka wakadana Jakove, ndokumuropafadza, ndokumuraira ndokuti kwaari: Usawana mukadzi pavakunda veKenani.
  776. Gen 28:2 Simuka, enda kuPadhani-Aramu, kuimba yaBhetueri baba vamai vako, uye uzvitorere kubva ikoko mukadzi kubva kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
  777. Gen 28:3 Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakuropafadze, agokuberekesa, nekukuwanza, kuti uve ungano yemarudzi;
  778. Gen 28:4 agokupa ropafadzo yaAbhurahama, kwauri nekuchizvarwa chako pamwe newe; kuti ugare nhaka yenyika yeutorwa hwako, Mwari yaakapa kuna Abhurahama.
  779. Gen 28:5 Isaka ndokuendesa Jakove, iye ndokuenda kuPadhani-Aramu kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri muSiriya, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakove naEsau.
  780. Gen 28:6 Zvino Esau wakaona kuti Isaka waropafadza Jakove, ndokumuendesa kuPadhani-Aramu kunozvitorera kubva ikoko mukadzi, paakamuropafadza wakamuraira achiti: Usatora mukadzi kuvakunda veKenani;
  781. Gen 28:7 uye kuti Jakove wakateerera baba vake namai vake, ndokuenda kuPadhani-Aramu.
  782. Gen 28:8 Esau ndokuona kuti vakunda veKenani vaiva vakaipa pameso aIsaka baba vake.
  783. Gen 28:9 Naizvozvo Esau wakaenda kuna Ishimaeri, ndokuzvitorera Maharati mukunda waIshimaeri, mwanakomana waAbhurahama, hanzvadzi yaNebhayoti ave mukadzi wake pamusoro pevakadzi vake.
  784. Gen 28:10 Zvino Jakove wakabuda kubva paBheeri-Shebha, ndokuenda kuHarani.
  785. Gen 28:11 Zvino wakasvika panzvimbo, ndokurarapo, nokuti zuva raiva ravira. Ndokutora ibwe pamabwe enzvimbo iyo, ndokuita mutsago wake, ndokurara panzvimbo iyo.
  786. Gen 28:12 Zvino wakarota, uye tarira, danhiko ramiswa panyika, nemusoro waro uchibata matenga, zvino tarira, vatumwa vaMwari vachikwira nekuburuka pariri.
  787. Gen 28:13 Zvino tarira, Jehovha wakamira pamusoro paro, ndokuti: Ndini Jehovha Mwari waAbhurahama baba vako, naMwari waIsaka; nyika yaurere pairi ndichaipa kwauri, nekuchizvarwa chako;
  788. Gen 28:14 uye chizvarwa chako chichaita seguruva renyika; zvino uchapararira kumavirazuva nekumabvazuva nekumaodzanyemba nekuchamhembe; uye mauri nemuchizvarwa chako mhuri dzose dzepanyika dzicharopafadzwa.
  789. Gen 28:15 Zvino tarira, ndinewe, uye ndichakuchengeta kose kwaunoenda, nekukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusii kusvika ndaita izvo zvandataura kwauri.
  790. Gen 28:16 Zvino Jakove wakapepuka pahope dzake, ndokuti: Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini ndanga ndisingazivi.
  791. Gen 28:17 Zvino wakatya, ndokuti: Nzvimbo ino inotyisa zvakadini! Haisi chimwe chinhu kunze kweimba yaMwari, uye iri isuwo rematenga.
  792. Gen 28:18 Jakove ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora ibwe raaiva aita mutsago wake, ndokurimisa kuva mbiru, ndokudira mafuta pamusoro penhongonya yaro.
  793. Gen 28:19 Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Bheteri; asi zita reguta pakutanga raiva Ruzi.
  794. Gen 28:20 Jakove ndokupika mhiko achiti: Kana Mwari akava neni, ndokundichengeta panzira iyi yandinoenda, uye akandipa chingwa chekudya, nechipfeko chekupfeka;
  795. Gen 28:21 kuti ndidzokere nerugare kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu.
  796. Gen 28:22 Zvino iri ibwe randamisa kuva mbiru richava imba yaMwari; nezvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichapa chegumi kwamuri.
  797. Gen 29:1 Zvino Jakove wakasimudza tsoka dzake ndokuenda kunyika yevana vekumabvazuva.
  798. Gen 29:2 Uye wakaona, zvino tarira, tsime musango, zvino tarira ipapo, mapoka matatu emakwai arere pariri; nokuti patsime iri vainwisa mapoka; uye ibwe guru raiva pamuromo wetsime.
  799. Gen 29:3 Uye ipapo paiunganidzwa mapoka ose; zvino kana vakungurusa ibwe kubva pamuromo wetsime vainwisa makwai, ndokudzosera ibwe pamuromo wetsime panzvimbo yaro.
  800. Gen 29:4 Jakove ndokuti kwavari: Hama dzangu, munobvepi? Ivo ndokuti: Tinobva kuHarani.
  801. Gen 29:5 Zvino wakati kwavari: Munoziva here Rabhani mwanakomana waNahori? Ivo ndokuti: Tinomuziva.
  802. Gen 29:6 Zvino wakati kwavari: Wakafara here? Ivo ndokuti: Wakafara; zvino tarira, Rakeri mukunda wake, anouya nemakwai.
  803. Gen 29:7 Zvino wakati: Tarirai, achiri masikati makuru, haisi nguva yekuti zvipfuwo zviunganidzwe; nwisai makwai, mugoenda munofudza.
  804. Gen 29:8 Zvino vakati: Hatigoni kusvika mapoka ose aunganidzwa, ndokukungurusa ibwe pamuromo wetsime; ndipo patichanwisa makwai.
  805. Gen 29:9 Achiri kutaura navo, Rakeriwo wakasvika nemakwai aiva ababa vake, nokuti waiva mufudzikadzi.
  806. Gen 29:10 Zvino zvakaitika Jakove achiona Rakeri mukunda waRabhani hanzvadzi yamai vake nemakwai aRabhani hanzvadzi yamai vake, kuti Jakove wakaswedera, ndokukungurusa ibwe kubva pamuromo wetsime, ndokunwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.
  807. Gen 29:11 Jakove ndokutsvoda Rakeri, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema misodzi.
  808. Gen 29:12 Jakove ndokuudza Rakeri kuti ihama yababa vake, uye kuti mwanakomana waRabheka. Iye ndokumhanya, ndokuudza baba vake.
  809. Gen 29:13 Zvino zvakaitika Rabhani anzwa mashoko aJakove mwanakomana wehanzvadzi yake, kuti wakamhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokumutsvoda, ndokumuunza kumba kwake. Iye ndokuudza Rabhani zvinhu izvi zvose.
  810. Gen 29:14 Rabhani ndokuti kwaari: Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu. Zvino wakagara naye mwedzi wose.
  811. Gen 29:15 Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Nokuti uri hama yangu, ungandibatira pachena here? Ndiudze kuti mubairo wako chii.
  812. Gen 29:16 Zvino Rabhani waiva ane vakunda vaviri; zita remukuru raiva Rea, uye zita remudiki Rakeri.
  813. Gen 29:17 Asi Rea waiva ane meso akaneta, asi Rakeri waiva akanaka pachimiro, akanakawo pakuonekera.
  814. Gen 29:18 Zvino Jakove wakada Rakeri; ndokuti: Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri mukunda wenyu mudiki.
  815. Gen 29:19 Rabhani ndokuti: Zviri nani kuti ndimupe kwauri pakuti ndimupe kune umwe murume; gara neni.
  816. Gen 29:20 Jakove ndokubatira Rakeri makore manomwe; asi akava pameso ake semazuva mashoma nekuda kwekumuda kwake.
  817. Gen 29:21 Jakove ndokuti kuna Rabhani: Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu azadzisika, kuti ndipinde kwaari.
  818. Gen 29:22 Rabhani ndokuunganidza vanhu vose venzvimbo iyo, ndokuita mabiko.
  819. Gen 29:23 Zvino zvakaitika madekwani, kuti wakatora Rea, mukunda wake, ndokumuunza kwaari; iye ndokupinda kwaari.
  820. Gen 29:24 Rabhani ndokupa kwaari Ziripa murandakadzi wake kuna Rea mukunda wake, kuva murandakadzi.
  821. Gen 29:25 Zvino zvakaitika mangwanani, tarira, ndiRea. Iye ndokuti kuna Rabhani: Chii ichi chamaita kwandiri? Handina kukubatirai pamusoro paRakeri here? Zvino mandinyengedzererei?
  822. Gen 29:26 Rabhani ndokuti: Hakunzarwo panzvimbo yekwedu kupa mudiki kutangira dangwe.
  823. Gen 29:27 Zadzisa vhiki yeuyu, tigokupa uyuwo pamusoro pebasa rauchabata neni amwezve makore manomwe.
  824. Gen 29:28 Jakove ndokuita saizvozvo, ndokuzadzisa vhiki yeuyu. Iye ndokupa kwaari Rakeri mukunda wake, kuva mukadzi wake.
  825. Gen 29:29 Rabhani ndokupa kumukunda wake Rakeri Bhiriha murandakadzi wake, ave murandakadzi kwaari.
  826. Gen 29:30 Jakove ndokupindawo kuna Rakeri, ndokudawo Rakeri kupfuura Rea, ndokumubatira amwe makore manomwezve.
  827. Gen 29:31 Zvino Jehovha aona kuti Rea waivengwa, wakazarura chizvaro chake, asi Rakeri waiva mhanje.
  828. Gen 29:32 Rea ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Rubheni, nokuti wakati: Nokuti Jehovha wakaona dambudziko rangu; naizvozvo ikozvino murume wangu achandida.
  829. Gen 29:33 Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nokuti Jehovha wanzwa kuti ndinovengwa, naizvozvo wandipa neuyu; ndokutumidza zita rake kuti Simioni.
  830. Gen 29:34 Zvino wakabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Ikozvino nguva ino murume wangu achazvibatanidza neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
  831. Gen 29:35 Zvino wakabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nenguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo wakatumidza zita rake kuti Judha; ndokumira kubereka.
  832. Gen 30:1 Zvino Rakeri wakati achiona kuti waiva asingaberekeri Jakove, Rakeri wakagodora mukoma wake, ndokuti kuna Jakove: Ndipe vana; zvino kana zvikasadaro ndife.
  833. Gen 30:2 Naizvozvo kutsamwa kwaJakove kwakapfutira Rakeri, iye ndokuti: Ndiri pachinzvimbo chaMwari here, wakakunyima chibereko chechizvaro?
  834. Gen 30:3 Iye ndokuti: Tarira, murandakadzi wangu Bhiriha, pinda kwaari, kuti abereke pamabvi angu, kuti iniwo ndivakwe kwaari.
  835. Gen 30:4 Zvino wakamupa Bhiriha murandakadzi wake kuva mukadzi; Jakove ndokupinda kwaari.
  836. Gen 30:5 Zvino Bhiriha wakabata mimba, ndokuberekera Jakove mwanakomana.
  837. Gen 30:6 Rakeri ndokuti: Mwari wanditongera, uye wanzwawo inzwi rangu, ndokundipa mwanakomana. Naizvozvo wakatumidza zita rake kuti Dhani.
  838. Gen 30:7 Bhiriha murandakadzi waRakeri ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.
  839. Gen 30:8 Zvino Rakeri wakati: Nemutsimba mukuru ndakaita mutsimba nemukoma wangu, uye ndakakunda; ndokutumidza zita rake kuti Nafutari.
  840. Gen 30:9 Rea wakati achiona kuti wamira kubereka, wakatora Ziripa murandakadzi wake, ndokumupa kuna Jakove kuva mukadzi.
  841. Gen 30:10 Zvino Ziripa murandakadzi waRea wakaberekera Jakove mwanakomana.
  842. Gen 30:11 Rea ndokuti: Rombo rakanaka rinouya. Ndokutumidza zita rake kuti Gadhi.
  843. Gen 30:12 Ziripa murandakadzi waRea ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.
  844. Gen 30:13 Rea ndokuti: Ndezvemufaro wangu, nokuti vakunda vachanditi ndine mufaro. Ndokutumidza zita rake Asheri.
  845. Gen 30:14 Zvino Rubheni wakaenda pamazuva ekukohwa gorosi, ndokuwana mamandirakisi mumunda, ndokuavigira mai vake Rea. Rakeri ndokuti kuna Rea: Dondipawo pamamandirakisi emwanakomana wako.
  846. Gen 30:15 Iye ndokuti kwaari: Chinhu chidiki here kuti wakatora murume wangu? Zvino wotorazve mamandirakisi emwanakomana wangu here? Rakeri ndokuti: Naizvozvo acharara newe usiku huno nekuda kwemamandirakisi emwanakomana wako.
  847. Gen 30:16 Jakove wakati achidzoka kubva kumunda madekwani, Rea ndokubuda kunomuchingamidza, ndokuti: Unofanira kupinda kwandiri, nokuti kukuhaya ndakuhaya nemamandirakisi emwanakomana wangu. Ndokurara naye usiku ihwohwo.
  848. Gen 30:17 Zvino Mwari wakanzwa Rea; iye ndokubata mimba, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechishanu.
  849. Gen 30:18 Rea ndokuti: Mwari wandipa mubairo wangu, nokuti ndakapa murandakadzi wangu kumurume wangu; ndokutumidza zita rake kuti Isasikari.
  850. Gen 30:19 Rea ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechitanhatu.
  851. Gen 30:20 Rea ndokuti: Mwari wandipa ini chipo chakanaka; ikozvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu; ndokutumidza zita rake kuti Zebhuruni.
  852. Gen 30:21 Zvino pashure wakabereka mukunda, ndokutumidza zita rake kuti Dhina.
  853. Gen 30:22 Mwari wakarangarirawo Rakeri, Mwari ndokumunzwa, akazarura chizvaro chake.
  854. Gen 30:23 Zvino wakabata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Mwari wabvisa chinyadzo changu.
  855. Gen 30:24 Ndokutumidza zita rake kuti Josefa, achiti: Jehovha ngaawedzere kwandiri umwe mwanakomana.
  856. Gen 30:25 Zvino zvakaitika Rakeri abereka Josefa, kuti Jakove wakati kuna Rabhani: Ndiregei ndiende kuti ndiende kunzvimbo yekwedu nekunyika yekwedu.
  857. Gen 30:26 Ipai kwandiri vakadzi vangu nevana vangu vandakakushandirai kuti ndiende, nokuti imwi munoziva basa rangu randakakubatirai.
  858. Gen 30:27 Rabhani ndokuti kwaari: Kana hangu ndawana nyasha pameso ako; ndaona nekutarira kuti Jehovha wakandiropafadza nekuda kwako.
  859. Gen 30:28 Akatiwo: Nditemere mubairo wako, ndigokupa.
  860. Gen 30:29 Iye ndokuti kwaari: Imwi munoziva kuti ndakakushandirai sei, uye kuti zvipfuwo zvenyu zvaiva zvakadii neni.
  861. Gen 30:30 Nokuti zvishoma zvamaiva nazvo ndisati ndasvika, zvino zvakawanda zvikava chaunga; uye Jehovha wakakuropafadzai patsoka dzangu; zvino ini ndichabatira imba yangu rinhiwo?
  862. Gen 30:31 Iye ndokuti: Ndichakupei? Jakove ndokuti: Hamungandipi chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi: Ndichafudzazve nekuchengeta boka renyu.
  863. Gen 30:32 Ndichagura nepakati peboka renyu rose nhasi, ndichitsaura kubvapo gwai rimwe nerimwe rine mavara nerine makwapa, negwai rimwe nerimwe resvundu pakati pemakwai, nedzine mavara nedzine makwapa pakati pembudzi; zvigova mubairo wangu.
  864. Gen 30:33 Zvino kururama kwangu kuchandipupurira pazuva rinouya, kana muchiuira mubairo wangu pamberi pechiso chenyu; zvose zvisina mavara nemakwapa pakati pembudzi, nezvisvundu pamakwai, kwandiri zvabiwa.
  865. Gen 30:34 Rabhani ndokuti: Tarira, haiwa, ngazvive maererano neshoko rako.
  866. Gen 30:35 Zvino nezuva iroro wakatsaura nhongo dzaiva dzine mitsetse nedzine makwapa, nenhunzvi dzose dzaiva dzine mavara nedzine makwapa, chose chaiva chine chichena, nechisvundu chose pamakwai, ndokupa paruoko rwevana vake.
  867. Gen 30:36 Akaisa chinhambwe chemazuva matatu pakati pake naJakove. Jakove ndokufudza boka raRabhani raiva rasara.
  868. Gen 30:37 Zvino Jakove wakazvitorera matavi manyoro emupopura neemuarimondi neasina makwande, ndokusvuura mitaro michena paari, akaonesa kuchena kwaiva kuri pamatavi.
  869. Gen 30:38 Ndokuisa matavi aaiva asvuura pamigero muzvinwiro zvemvura paiuya boka kuzonwa pakanangana neboka; kuti riteverwe pakuuya kwaro kuzonwa.
  870. Gen 30:39 Zvino boka rakateverwa pamatavi, boka ndokubereka zvine mitsetse, zvine mavara, nezvine makwapa.
  871. Gen 30:40 Zvino Jakove wakaparadzanisa makwai, ndokutaridza zviso zveboka kune zvaiva nemitsetse nezvose zvisvundu paboka raRabhani; ndokuisa zvipfuwo zvake zviri zvoga; akasaaisawo kuboka raRabhani.
  872. Gen 30:41 Zvino zvakaitika pose akasimba eboka paaibata zamu, kuti Jakove wakaisa matavi pamberi pemeso eboka pamigero, kuti zviteverwe pakati pematavi.
  873. Gen 30:42 Asi kana boka risina simba haana kuaisa; naizvozvo zvaiva zvisina simba zvaiva zvaRabhani, uye zvakasimba zvaJakove.
  874. Gen 30:43 Zvino murume wakatandira kwazvo-kwazvo, ndokuva nemapoka mazhinji nevarandakadzi nevaranda nemakamera nembongoro.
  875. Gen 31:1 Zvino [Jakove] wakanzwa mashoko evanakomana vaRabhani vachiti: Jakove watora zvose zvaiva zvababa vedu; uye nezvaiva zvababa vedu achiita mbiri yose iyi.
  876. Gen 31:2 Jakove ndokuona chiso chaRabhani, zvino tarira, chaiva chisakaita kwaari sanezuro namarimwezuro.
  877. Gen 31:3 Jehovha ndokuti kuna Jakove: Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako; uye ndichava newe.
  878. Gen 31:4 Zvino Jakove wakatuma ndokudanira Rakeri naRea kusango kuboka rake,
  879. Gen 31:5 ndokuti kwavari: Ndinoona chiso chababa venyu kuti hachina kuita kwandiri sanezuro namarimwezuro; asi Mwari wababa vangu wanga aneni.
  880. Gen 31:6 Zvino munoziva kuti nesimba rangu rose ndakashandira baba venyu.
  881. Gen 31:7 Uye baba venyu vakandinyengedzera, ndokushandura mubairo wangu kagumi, asi Mwari haana kuvatendera kundiitira zvakaipa.
  882. Gen 31:8 Kana vakataura seizvi: Zvine mavara zvichava mubairo wako; ipapo boka rose rakabereka zvine mavara. Zvino kana vakataura seizvi: Zvine mitsetse zvichava mubairo wako; ipapo boka rose rakabereka zvine mitsetse.
  883. Gen 31:9 Saizvozvo Mwari wakabvutira baba venyu zvipfuwo, ndokupa kwandiri.
  884. Gen 31:10 Zvino zvakaitika panguva boka paraiteverwa, kuti ndakasimudza meso angu ndokuona muchiroto, zvino tarira, nhongo dzinokwira boka dzaiva nemitsetse, mavara, nedzakaita pfumbu.
  885. Gen 31:11 Zvino mutumwa waMwari wakati kwandiri muchiroto: Jakove! Ndikati: Ndiri pano.
  886. Gen 31:12 Ndokuti: Simudza hako meso ako ugoona, nhongo dzose dzinokwira boka dzine mitsetse, dzine mavara, ndokuita pfumbu; nokuti ndaona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
  887. Gen 31:13 Ndini Mwari weBheteri pawakazodza mbiru, pawakandipikira mhiko. Ikozvino, simuka, ubude munyika ino, udzokere kunyika yechizvarigo chako.
  888. Gen 31:14 Rakeri naRea ndokupindura ndokuti kwaari: Tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here?
  889. Gen 31:15 Hativerengwi kuva vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, uye vakadya ndokudya mari yedu.
  890. Gen 31:16 Nokuti fuma yose Mwari yaakabvutira baba vedu ndeyedu neyevana vedu; zvino ikozvino chose Mwari chaareva kwauri, chiite.
  891. Gen 31:17 Jakove ndokusimuka, ndokukwidza vana vake nevakadzi vake pamakamera.
  892. Gen 31:18 Ndokutinha zvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaaiva awana, zvipfuwo zvaaiva awana, zvaaiva awana paPadhani-Aramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKenani.
  893. Gen 31:19 Zvino Rabhani waiva aenda kunoveura makwai ake, Rakeri ndokuba zvifananidzo baba vake zvavaiva nazvo.
  894. Gen 31:20 Jakove ndokubva achinyengera Rabhani muSiriya, nokuti haana kumuzivisa kuti anotiza.
  895. Gen 31:21 Zvino wakatiza, iye nezvose zvaaiva nazvo, ndokusimuka, ndokuyambuka rwizi, ndokuringisa chiso chake kugomo reGiriyadhi.
  896. Gen 31:22 Zvino zvakaudzwa Rabhani nezuva retatu kuti Jakove watiza.
  897. Gen 31:23 Iye ndokutora hama dzake naye akadzingirirana naye rwendo rwemazuva manomwe, ndokumusvikira mugomo reGiriyadhi.
  898. Gen 31:24 Mwari ndokuuya kuna Rabhani muSiriya muchiroto cheusiku, ndokuti kwaari: Zvichenjerere, zvimwe ungataura kuna Jakove kubva kune chakanaka kusvika kune chakaipa.
  899. Gen 31:25 Rabhani ndokusvikira Jakove. Zvino Jakove waiva adzika tende rake mugomo; Rabhaniwo nehama dzake vakadzika mugomo reGiriyadhi.
  900. Gen 31:26 Rabhani ndokuti kuna Jakove: Waitei, kuti wandinyengera, uye uchitinha vakunda vangu sevatapwa nemunondo?
  901. Gen 31:27 Watizirei pachivande, uchindiverevedza, usingandiudzi, kuti ndingadai ndakuoneka nemufaro uye nenziyo, negandira, uye nembira?
  902. Gen 31:28 Uye hauna kunditendera kutsvoda vanakomana vangu nevakunda vangu. Ikozvino waita sebenzi pakuita.
  903. Gen 31:29 Zviri pasimba reruoko rwangu kukuitirai zvakaipa; asi Mwari wababa venyu wakataura neni usiku hwazuro achiti: Zvichenjerere kuti urege kutaura kuna Jakove kubva kune chakanaka kusvika kune chakaipa.
  904. Gen 31:30 Zvino ikozvino, kuenda waenda, nokuti wanga uchishuva zvikuru imba yababa vako; wabirei vamwari vangu?
  905. Gen 31:31 Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Nokuti ndaiva ndichitya, nokuti ndakati: Zvimwe munganditorera vakunda venyu nechisimba.
  906. Gen 31:32 Uyo wamunowana kwaari vamwari venyu ngaarege kurarama; pamberi pehama dzedu zviongororerei zvenyu zviri kwandiri, mugozvitorera. Nokuti Jakove waiva asingazivi kuti Rakeri waiva avaba.
  907. Gen 31:33 Rabhani ndokupinda mutende raJakove, nemutende raRea, nemutende revarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Zvino wakabuda mutende raRea, ndokupinda mutende raRakeri.
  908. Gen 31:34 Zvino Rakeri waiva atora zvifananidzo, ndokuzviisa muchigaro chekamera, ndokugara pamusoro pazvo. Rabhani ndokubata-bata tende rose, asi haana kuzviwana.
  909. Gen 31:35 Iye ndokuti kuna baba vake: Ngazirege kutsamwisa pameso paishe wangu kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wevakadzi uri pandiri. Iye ndokutsvaka, asi haana kuwana zvifananidzo.
  910. Gen 31:36 Zvino Jakove wakatsamwa, ndokupikisana naRabhani; Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Kudarika kwangu chii, chivi changu chii, kuti mundidzingirire nekupfuta?
  911. Gen 31:37 Zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose mawanei chenhumbi dzekumba kwenyu dzose? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nehama dzenyu kuti vatonge pakati pedu isu vaviri.
  912. Gen 31:38 Makore awa makumi maviri ndinemwi; nhunzvi dzenyu dzemakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, nemakondohwe enyu eboka handina kudya.
  913. Gen 31:39 Zvakabvamburwa handina kuzviunza kwamuri; ini ndakazviripa; pamaoko angu makazvitsvaka, zvakabiwa masikati kana zvakabiwa usiku.
  914. Gen 31:40 Ndaiva ndakadaro; masikati zuva rakandipedza, nechando chakachena usiku; uye hope dzangu dzikatiza pameso angu.
  915. Gen 31:41 Makore awa makumi maviri ndaiva ndiri mumba menyu; ndakakushandirai makore gumi nemana nekuda kwevakunda venyu vaviri, nemakore matanhatu nekuda kwezvipfuwo zvenyu; uye mukashandura mubairo wangu kagumi.
  916. Gen 31:42 Kusiri kuti Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahama, neKutya kwaIsaka, aiva neni, zvirokwazvo ikozvino mungadai mandiendesa ndisina chinhu. Dambudziko rangu nebasa remaoko angu Mwari wakaona, ndokukutsiurai usiku hwazuro.
  917. Gen 31:43 Zvino Rabhani wakapindura ndokuti kuna Jakove: Vakunda vakunda vangu, nevanakomana vanakomana vangu, neboka iboka rangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nekuvakunda vangu ndichaitei kwavari nhasi, kana kuvana vavo vavakazvara?
  918. Gen 31:44 Zvino ikozvino, uya, ngatiite sungano, ini newe; ive chapupu pakati pangu newe.
  919. Gen 31:45 Jakove ndokutora ibwe, ndokurimisa kuva mbiru.
  920. Gen 31:46 Jakove ndokuti kuhama dzake: Unganidzai mabwe. Zvino vakatora mabwe, ndokuita murwi; zvino vakadya ipapo pamusoro pemurwi.
  921. Gen 31:47 Rabhani ndokuutumidza Jegari-Sahadhuta; asi Jakove wakautumidza Garidhi.
  922. Gen 31:48 Rabhani ndokuti: Murwi uyu chapupu pakati pangu newe nhasi. Naizvozvo zita rawo rakanzi Garidhi,
  923. Gen 31:49 uye Mizipa, nokuti wakati: Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana takavandana.
  924. Gen 31:50 Kana ukatambudza vakunda vangu, uye kana ukawana vakadzi pamusoro pevakunda vangu, hakuna munhu anesu, tarira, Mwari chapupu pakati pangu newe.
  925. Gen 31:51 Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Tarira murwi uyu, uye tarira mbiru iyi, yandakanda pakati pangu newe.
  926. Gen 31:52 Murwi uyu chapupu, nembiru iyi chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu kuenda kwauri, uye kuti iwe haungapfuuri murwi uyu nembiru kuuya kwandiri mune zvakaipa.
  927. Gen 31:53 Mwari waAbhurahama, naMwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu. Jakove ndokupika neKutya kwababa vake Isaka.
  928. Gen 31:54 Jakove ndokubaya chibairo mugomo, ndokudana hama dzake kuti vadye chingwa; zvino vakadya chingwa, ndokurara mugomo.
  929. Gen 31:55 Rabhani ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutsvoda vanakomana vake nevakunda vake, ndokuvaropafadza; Rabhani ndokuenda, ndokudzokera kunzvimbo yake.
  930. Gen 32:1 Zvino Jakove wakaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.
  931. Gen 32:2 Jakove wakati avaona ndokuti: Iyi ihondo yaMwari. Ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Mahanayimu.
  932. Gen 32:3 Zvino Jakove wakatuma nhume mberi kwake kuna Esau mukoma wake, kudunhu reSeiri, nyika yeEdhomu.
  933. Gen 32:4 Ndokuvaraira achiti: Mutaure seizvi kuna ishe wangu kuna Esau: Unotaura kudai muranda wenyu Jakove: NaRabhani ndanga ndichigara semutorwa, ndikarivara kusvika ikozvino;
  934. Gen 32:5 uye ndine mombe nembongoro, makwai nevarandarume nevarandakadzi; uye ndatumira kunopira kuna ishe wangu kuti ndiwane nyasha pameso enyu.
  935. Gen 32:6 Zvino nhume dzakadzoka kuna Jakove dzichiti: Takasvika kumukoma wenyu kuna Esau; naiyewo anouya kuzokuchingamidzai, uye varume mazana mana vanaye.
  936. Gen 32:7 Jakove ndokutya zvikuru, ndokutambudzika. Zvino wakaparadzanisa vanhu vaiva naye nemakwai nemombe nemakamera, kuita mapoka maviri;
  937. Gen 32:8 nokuti wakati: Kana Esau akasvika kune rimwe boka ndokurirova, ipapo boka rakasara richapukunyuka.
  938. Gen 32:9 Zvino Jakove wakati: Mwari wababa vangu Abhurahama, naMwari wababa vangu Isaka, Jehovha uyo wakati kwandiri: Dzokera kunyika yekwako nekuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;
  939. Gen 32:10 handina kufanira nyasha dzose nekutendeka kose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu; zvino ikozvino ndava mapoka maviri.
  940. Gen 32:11 Dondinunuraiwo paruoko rwemukoma wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, zvimwe asvike andirove, mai pamusoro pevana.
  941. Gen 32:12 Uye imwi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, nekuita chizvarwa chako sejecha regungwa risingaverengeki neuwandu.
  942. Gen 32:13 Zvino wakararapo usiku ihwohwo; ndokutora pane zvakasvika muruoko rwake, chipo chaEsau mukoma wake:
  943. Gen 32:14 Nhunzvi dzembudzi mazana maviri nenhongo makumi maviri, nhunzvi dzemakwai mazana maviri nemakondohwe makumi maviri,
  944. Gen 32:15 makamera anoyamwisa makumi matatu nemhuru dzawo, mhou makumi mana, nenzombe diki gumi, makadzi embongoro makumi maviri, nemadhongwana gumi.
  945. Gen 32:16 Zvino wakazvipa muruoko rwevaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, ndokuti kuvaranda vake: Yambukai mberi kwangu, muise chinhambwe pakati peboka neboka.
  946. Gen 32:17 Zvino wakaraira wekutanga achiti: Kana Esau mukoma wangu akasangana newe, ndokukubvunza achiti: Uri waani? Uye unoendepi? Uye ndezvaani izvi zviri pamberi pako?
  947. Gen 32:18 Ugoti: Ndezvemuranda wenyu Jakove, chipo chinotumirwa ishe wangu Esau; zvino tarirai, iyewo amene ari kumashure kwedu.
  948. Gen 32:19 Zvino wakaraira newechipiri newechitatu nevose vaitevera mapoka achiti: Mutaure kuna Esau nenzira iyi pamunomuwana;
  949. Gen 32:20 mutiwo: Tarirai, muranda wenyu Jakove ari shure kwedu. Nokuti wakati: Ndichanyaradza chiso chake nechipo chinofamba mberi kwangu, uye pashure ndichaona chiso chake; zvimwe achagamuchira chiso changu.
  950. Gen 32:21 Naizvozvo chipo chakayambuka mberi kwake; asi iye wakarara usiku ihwohwo mumusasa.
  951. Gen 32:22 Zvino wakamuka usiku ihwohwo, ndokutora vakadzi vake vaviri nevarandakadzi vake vaviri, nevana vake gumi neumwe, ndokuyambuka zambuko reJabhoki.
  952. Gen 32:23 Zvino wakavatora, ndokuvayambusa rukova, akayambusawo zvaaiva anazvo.
  953. Gen 32:24 Jakove ndokusiiwa oga; zvino murume wakaita mutsimba naye kusvika utonga huchitsvuka.
  954. Gen 32:25 Asi mutumwa aona kuti haana kumukunda, wakabata mhango yehudyu yake; hudyu yaJakove ikasvogodoka paakatsutsurudzana naye.
  955. Gen 32:26 Zvino wakati: Ndirege ndiende nokuti utonga hwatsvuka. Asi wakati: Handingakuregei muchienda kunze kwekuti mandiropafadza.
  956. Gen 32:27 Zvino wakati kwaari: Zita rako ndiani? Iye ndokuti: Jakove.
  957. Gen 32:28 Murume ndokuti: Zita rako harichazonzi Jakove, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari nevanhu, ukakunda.
  958. Gen 32:29 Jakove ndokubvunza ndokuti: Dorevawo zita rako. Iye ndokuti: Sei uchibvunza zita rangu? Zvino akamuropafadza ipapo.
  959. Gen 32:30 Zvino Jakove wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Penieri; nokuti wakati: Ndaona Mwari chiso nechiso, uye upenyu hwangu hwaponeswa.
  960. Gen 32:31 Zvino zuva rakamubudira opfuura paPenueri; akakamhina pahudyu yake.
  961. Gen 32:32 Naizvozvo vana vaIsraeri havadyi runda rwetsinga rwuri pamhango yehudyu kusvika zuva ranhasi; nokuti wakabata mhango yehudyu yaJakove parunda rwetsinga.
  962. Gen 33:1 Zvino Jakove wakasimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira, Esau achiuya nevarume mazana mana vanaye. Iye ndokugovera vana kuna Rea nekuna Rakeri nekuvarandakadzi vaviri.
  963. Gen 33:2 Zvino wakaisa varandakadzi nevana vavo mberi, naRea nevana vake shure, naRakeri naJosefa pakupedzisira.
  964. Gen 33:3 Zvino iye wakapfuura mberi kwavo, ndokukotamira pavhu kanomwe kusvika asvika pedo nemukoma wake.
  965. Gen 33:4 Esau ndokumhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokuwira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; zvino vakachema.
  966. Gen 33:5 Zvino wakasimudza meso ake ndokuona vakadzi nevana, ndokuti: Ndivana ani ava vaunavo? Iye ndokuti: Vana Mwari vaakapa muranda wenyu nenyasha.
  967. Gen 33:6 Varandakadzi ndokuswedera, ivo nevana vavo, ndokukotama.
  968. Gen 33:7 NaReawo wakaswedera nevana vake, zvino vakakotama; uye pashure Josefa naRakeri vakaswedera, ndokukotama.
  969. Gen 33:8 Ndokuti: Wakanangei neboka iri rose randasangana naro? Iye ndokuti: Kuti ndiwane nyasha pameso paishe wangu.
  970. Gen 33:9 Esau ndokuti: Ndine zvizhinji, munin’ina wangu, zvako ngazvive zvako.
  971. Gen 33:10 Jakove ndokuti: Haiwa kwete! Kana ikozvino ndawana nyasha pameso penyu, zvino gamuchirai chipo changu kubva paruoko rwangu; nokuti naizvozvo ndaona chiso chenyu sendaona chiso chaMwari, uye mafadzwa neni.
  972. Gen 33:11 Gamuchirai henyu chipo changu chinouiswa kwamuri; nokuti Mwari wakandipa nenyasha, uye nokuti ndine zvose. Zvino wakamugombedzera kusvika agamuchira.
  973. Gen 33:12 Ndokuti: Ngatisimuke tifambe, uye ndichakutungamirira.
  974. Gen 33:13 Asi wakati kwaari: Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vatete, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; zvino kana vakazvitinha nesimba zuva rimwe, boka rose richafa.
  975. Gen 33:14 Ishe wangu ngaapfuure hake mberi kwemuranda wake; uye ini ndichanyatsosesedza zvichienderana nemafambiro ebasa riri pamberi pangu, uye nemafambiro evana, kudzamara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.
  976. Gen 33:15 Esau ndokuti: Zvino ngandiise hangu kwauri vamwe vevanhu vaneni. Iye ndokuti: Nekuda kwei izvi? Ngandiwane nyasha pameso aishe wangu.
  977. Gen 33:16 Esau ndokudzoka zuva iroro panzira yake, kuenda kuSeiri.
  978. Gen 33:17 Zvino Jakove wakapfuurira kuenda kuSukoti, ndokuzvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga ane matenga; naizvozvo wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Sukoti.
  979. Gen 33:18 Jakove ndokusvika akachengetedzeka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhani-Aramu; ndokudzika matende pamberi peguta.
  980. Gen 33:19 Zvino chikamu chedunhu paaiva adzika tende rake wakachitenga muruoko rwevana vaHamori baba vaShekemu, nemakobiri zana emari.
  981. Gen 33:20 Ndokumisapo aritari, ndokuritumidza Eri-Erohe-Israeri.
  982. Gen 34:1 Zvino Dhina mwanasikana waRea, waakaberekera Jakove, wakabuda kunoona vakunda venyika [iyo].
  983. Gen 34:2 Zvino Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, muchinda wenyika, wakamuona, ndokumutora, ndokurara naye, ndokumudzikisira.
  984. Gen 34:3 Mweya weupenyu wake ndokunamatira kuna Dhina mukunda waJakove, ndokuda musikana, ndokutaura kumoyo wemusikana.
  985. Gen 34:4 Zvino Shekemu wakataura kuna baba vake Hamori achiti: Nditorerei musikana uyo kuva mukadzi.
  986. Gen 34:5 Zvino Jakove wakanzwa kuti wakasvibisa Dhina mukunda wake. Zvino vanakomana vake vaiva vari kuzvipfuwo zvake kusango; Jakove ndokunyarara kusvika vauya.
  987. Gen 34:6 Hamori baba vaShekemu ndokubuda kuenda kuna Jakove kunotaurirana naye.
  988. Gen 34:7 Vanakomana vaJakove vakati vachisvika kubva kusango vazvinzwa, varume ndokurwadziwa, vakatsamwa zvikuru, nokuti waiva aita upenzi pakati paIsraeri nekurara nemukunda waJakove; chinhu chisingafaniri kuitwa saizvozvo.
  989. Gen 34:8 Zvino Hamori wakataurirana navo achiti: Shekemu mwanakomana wangu, mweya weupenyu wake unoda mukunda wenyu; domupai henyu iye kuva mukadzi.
  990. Gen 34:9 Uye waniranai nesu, tipei vakunda venyu, mugozvitorera vakunda vedu.
  991. Gen 34:10 Uye garai nesu, uye nyika ichava pamberi penyu; garai mutengeseranemo, mupfuwe mairi.
  992. Gen 34:11 Shekemu ndokuti kuna baba vemusikana nekuhanzvadzi dzake: Ngandiwane nyasha pameso enyu; uye chamuchareva kwandiri ndichapa.
  993. Gen 34:12 Pamhidzirai zvikuru kwandiri roora nechipo; uye ndichapa sezvamunoreva kwandiri; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.
  994. Gen 34:13 Vanakomana vaJakove ndokupindura Shekemu naHamori baba vake neunyengeri, ndokuti, nokuti wakasvibisa hanzvadzi yavo Dhina,
  995. Gen 34:14 ndokuti kwavari: Hatigoni kuita chinhu ichi, kupa hanzvadzi yedu kumunhu ane ganda repamberi, nokuti chinyadzo kwatiri.
  996. Gen 34:15 Asi nechinhu ichi tingatenderana nemwi, kana mukava sesu, kuti murume umwe neumwe wekwenyu adzingiswe,
  997. Gen 34:16 zvino tichakupai vakunda vedu, nesu vakunda venyu tichazvitorera; uye tichagara nemwi uye tichava rudzi rumwe.
  998. Gen 34:17 Asi kana musingatiteereri mukadzingiswa, zvino tichatora mukunda wedu tigoenda.
  999. Gen 34:18 Zvino mashoko avo akava akanaka pameso aHamori, nepameso aShekemu mwanakomana waHamori.
  1000. Gen 34:19 Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichi, nokuti waifarira mukunda waJakove; uye waikudzwa kupfuura imba yose yababa vake.
  1001. Gen 34:20 Zvino Hamori wakasvika, naShekemu mwanakomana wake, kusuwo reguta ravo, ndokutaura kuvarume veguta ravo, vachiti:
  1002. Gen 34:21 Varume ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare munyika, vagotengeseranamo; nokuti nyika, tarirai, yakafara mativi ose pamberi pavo; vakunda vavo tichavatora vave vakadzi vedu, nevakunda vedu tichavapa ivo.
  1003. Gen 34:22 Pachinhu ichi chete varume vachatenderana nesu, kugara nesu, tive rudzi rumwe, kana murume wose wedu adzingiswa, sezvavakadzingiswa ivo.
  1004. Gen 34:23 Mombe dzavo nenhumbi dzavo nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu.
  1005. Gen 34:24 Zvino vakateerera kuna Hamori nekuna Shekemu mwanakomana wake, vose vaibuda pasuwo reguta rake, murume umwe neumwe, ndokudzingiswa, vose vaibuda pasuwo reguta rake.
  1006. Gen 34:25 Zvino zvakaitika nezuva retatu vachiri pakurwadziwa, kuti vanakomana vaviri vaJakove, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora umwe neumwe munondo wake, vakanyangira guta, ndokuuraya murume umwe neumwe.
  1007. Gen 34:26 Ndokuuraya Hamori naShekemu mwanakomana wake nekwakapinza kwemunondo, ndokubudisa Dhina mumba maShekemu, ndokubuda.
  1008. Gen 34:27 Vanakomana vaJakove vakauya pamusoro pevakauraiwa, ndokupamba guta, nokuti vaiva vasvibisa hanzvadzi yavo.
  1009. Gen 34:28 Vakatora makwai avo nemombe dzavo nembongoro dzavo nezvaiva muguta nezvaiva kusango,
  1010. Gen 34:29 nefuma yavo yose, nevanana vavo vose, nevakadzi vavo vakatapa vakapamba, nezvose zvaiva mumba.
  1011. Gen 34:30 Jakove ndokuti kuna Simioni nekuna Revhi: Manditambudza, nekundinhuhwisa pakati pevagari venyika ino, pakati pevaKenani nevaPerezi; zvino ini ndiri mushoma pauwandu, vachandiunganira, vagondirova; ndigoparadzwa ini neimba yangu.
  1012. Gen 34:31 Ivo ndokuti: Aite hanzvadzi yedu sechifeve here?
  1013. Gen 35:1 Zvino Mwari wakati kuna Jakove: Simuka, kwira kuBheteri, ugonogara ikoko; ugoitira ipapo aritari Mwari wakaonekwa kwauri pawaitiza pachiso chaEsau mukoma wako.
  1014. Gen 35:2 Jakove ndokuti kuimba yake nekune vose vaiva naye: Bvisai vamwari vendudzi vari pakati penyu, uye zvinatsei, uye chinjai nguvo dzenyu.
  1015. Gen 35:3 Ngatisimukewo, tigokwira kuBheteri; uye ndichaitira ipapo Mwari aritari, iye wakandipindura pazuva rekutambudzika kwangu, uye wakava neni panzira yandakafamba.
  1016. Gen 35:4 Zvino vakapa Jakove vamwari vose vendudzi vaiva paruoko rwavo, nemhete dzaiva panzeve dzavo; Jakove ndokuzviviga muzasi memuouki waiva paShekemu.
  1017. Gen 35:5 Zvino vakafamba; uye kutyiwa kwaMwari kwaiva pamusoro pemaguta akavapoteredza, uye havana kudzingirira vanakomana vaJakove.
  1018. Gen 35:6 Jakove ndokusvika paRuzi riri panyika yeKenani, ndiro Bheteri, iye nevanhu vose vaiva naye.
  1019. Gen 35:7 Zvino wakavakapo aritari, ndokutumidza nzvimbo kuti Eri-Bheteri, nokuti ipapo Mwari wakaonekwa kwaari pakutiza kwake pachiso chemukoma wake.
  1020. Gen 35:8 Zvino Debhora mureri waRabheka wakafa, ndokuvigwa zasi kweBheteri muzasi memuouki; naizvozvo wakatumidza zita rawo kuti Aroni-Bhakuti.
  1021. Gen 35:9 Zvino Mwari wakaonekwazve kuna Jakove pakubva kwake Padhani-Aramu, ndokumuropafadza.
  1022. Gen 35:10 Mwari ndokuti kwaari: Zita rako ndiJakove; zita rako harichazonzi Jakove, asi Israeri richava zita rako. Ndokutumidza zita rake kuti Israeri.
  1023. Gen 35:11 Zvino Mwari wakati kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose; bereka uwande; rudzi, hongu boka nemarudzi zvichabva kwauri, nemadzimambo achabuda pachiuno chako.
  1024. Gen 35:12 Uye nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndichaipa kwauri; nekumbeu yako shure kwako ndichaipa nyika.
  1025. Gen 35:13 Mwari ndokukwira kubva kwaari panzvimbo paaiva ataura naye.
  1026. Gen 35:14 Jakove ndokumisa mbiru panzvimbo paakataura naye, mbiru yebwe; ndokudurura pamusoro payo chipo chinodururwa, akadirawo pamusoro payo mafuta.
  1027. Gen 35:15 Jakove ndokutumidza zita renzvimbo Mwari paakataura naye, Bheteri.
  1028. Gen 35:16 Zvino vakafamba kubva paBheteri; asi chichiri chinhambwe kusvika Efurati; Rakeri akapona, ndokurwadziwa pakupona kwake.
  1029. Gen 35:17 Zvino zvakaitika pakurwadziwa kwake achipona, kuti nyamukuta wakati kwaari: Usatya, nokuti neuyu achava mwanakomana wako.
  1030. Gen 35:18 Zvino zvakaitika mweya weupenyu wake wobuda, nokuti wakafa, kuti wakatumidza zita rake Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.
  1031. Gen 35:19 Rakeri ndokufa, ndokuvigwa panzira inoenda Efurati, ndiro Bheterehemu.
  1032. Gen 35:20 Jakove ndokumisa mbiru pamusoro peguva rake; ndiyo mbiru yeguva raRakeri kusvika zuva ranhasi.
  1033. Gen 35:21 Israeri ndokufamba, ndokudzika tende rake mberi kweshongwe yeEdheri.
  1034. Gen 35:22 Zvino zvakaitika Israeri achigara munyika iyo, kuti Rubheni wakaenda ndokunorara naBhiriha murongo wababa vake, Israeri ndokuzvinzwa.
  1035. Gen 35:23 vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakove, naSimioni, naRevhi, naJudha, naIsasikari, naZebhuruni;
  1036. Gen 35:24 vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;
  1037. Gen 35:25 uye vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari;
  1038. Gen 35:26 uye vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakove vaakaberekerwa paPadhani-Aramu.
  1039. Gen 35:27 Jakove ndokusvika kuna Isaka baba vake paMamure, paKiriyati-Aribha, ndiro Hebhuroni, Abhurahama paaigara naIsaka vari vatorwa.
  1040. Gen 35:28 Zvino mazuva aIsaka aiva makore zana nemakumi masere.
  1041. Gen 35:29 Isaka ndokupera, ndokufa, ndokuunganidzwa pamarudzi ekwake, akwegura, uye azara nemazuva; vanakomana vake Esau naJakove ndokumuviga.
  1042. Gen 36:1 Zvino awa marudzi aEsau anova Edhomu:
  1043. Gen 36:2 Esau wakatora vakadzi vake kuvakunda veKenani: Adha mukunda waEroni muHeti, naAhoribhama mukunda waAna mukunda waZibhioni muHivhi,
  1044. Gen 36:3 naBhasimati mukunda waIshimaeri hanzvadzi yaNebhayoti.
  1045. Gen 36:4 Adha ndokuberekera Esau Erifazi; Bhasimati ndokubereka Rueri;
  1046. Gen 36:5 Ahoribhama ndokubereka Jeushi naJarami naKora; ava vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani.
  1047. Gen 36:6 Zvino Esau wakatora vakadzi vake nevanakomana vake nevakunda vake, nemweya yeupenyu yose yeimba yake, nemombe dzake nezvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaaiva awana munyika yeKenani, ndokuenda kune imwe nyika kubva pachiso chaJakove munin’ina wake.
  1048. Gen 36:7 Nokuti fuma yavo yaiva yakawandisa kuti vagare pamwe, uye nyika yeutorwa hwavo yaiva isingagoni kuvatakura nekuda kwezvipfuwo zvavo.
  1049. Gen 36:8 Esau ndokugara mugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.
  1050. Gen 36:9 Zvino awa marudzi aEsau, baba vevaEdhomu, mugomo reSeiri;
  1051. Gen 36:10 awa mazita evanakomana vaEsau: Erifazi mwanakomana waAdha mukadzi waEsau, Rueri mwanakomana waBhasimati mukadzi waEsau.
  1052. Gen 36:11 Nevanakomana vaErifazi vaiva Temani, Omari, Zefo, naGatamu, naKenazi.
  1053. Gen 36:12 Zvino Timuna waiva murongo kuna Erifazi mwanakomana waEsau; iye ndokuberekera Erifazi Amareki; ava vanakomana vaAdha mukadzi waEsau.
  1054. Gen 36:13 Zvino ava vaiva vanakomana vaRueri: Nahati naZera, Shama naMiza; ava vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau.
  1055. Gen 36:14 Zvino ava vaiva vanakomana vaOhoribhama mukunda waAna mukunda waZibhioni mukadzi waEsau; ndokuberekera Esau Jeushi naJarami naKora.
  1056. Gen 36:15 Awa madzishe evana vaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau: Ishe Temani, ishe Omari, ishe Zefo, ishe Kenazi,
  1057. Gen 36:16 ishe Kora, ishe Gatamu, ishe Amareki; awa madzishe aErifazi munyika yeEdhomu; ava vanakomana vaAdha.
  1058. Gen 36:17 Uye ava vanakomana vaRueri mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, ishe Zera, ishe Shama, ishe Miza; awa madzishe aRueri munyika yeEdhomu; ava vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau.
  1059. Gen 36:18 Uye ava vanakomana vaAhoribhama mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, ishe Jarami, ishe Kora; ava madzishe aAhoribhama mukunda waAna mukadzi waEsau.
  1060. Gen 36:19 Ava vanakomana vaEsau anova Edhomu, uye awa madzishe avo.
  1061. Gen 36:20 Ava vanakomana vaSeiri muHori, vagari venyika: Rotani naShobhari naZibhioni naAna
  1062. Gen 36:21 naDhishoni naEzeri naDhishani; ava madzishe evaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.
  1063. Gen 36:22 Uye vanakomana vaRotani vaiva Hori naHemami; nehanzvadzi yaRotani aiva Timuna.
  1064. Gen 36:23 Uye ava vanakomana vaShobharu: Arivhani, naManahati, naEbhari, Shefo, naOnamu.
  1065. Gen 36:24 Uye ava vanakomana vaZibhioni: Vose Aya naAna; ndiAna akawana matsime emvura inopisa murenje achifudza mbongoro dzaZibhioni baba vake.
  1066. Gen 36:25 Uye ava vanakomana vaAna: Dhishoni naAhoribhama mukunda waAna.
  1067. Gen 36:26 Uye ava vanakomana vaDhishani: Hemudhani naEshibhani naIturani naKerani.
  1068. Gen 36:27 Ava vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavhani naAkani.
  1069. Gen 36:28 Ava vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
  1070. Gen 36:29 Ava madzishe evaHori: Ishe Rotani, ishe Shobharu, ishe Zibhioni, ishe Ana,
  1071. Gen 36:30 ishe Dhishoni, ishe Ezeri, ishe Dhishani; awa madzishe evaHori, nemadzishe avo munyika yeSeiri.
  1072. Gen 36:31 Uye awa madzimambo akatonga munyika yeEdhomu, pasati pambotonga mambo pavana vaIsraeri.
  1073. Gen 36:32 Uye Bhera mwanakomana waBheori wakatonga paEdhomu, uye zita reguta rake raiva Dhinihabha.
  1074. Gen 36:33 Zvino Bhera wakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira ndokutonga pachinzvimbo chake.
  1075. Gen 36:34 Jobhabhu ndokufa, Hushamu wenyika yevaTemani ndokutonga pachinzvimbo chake.
  1076. Gen 36:35 Hushamu ndokufa; Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, iye akarova Midhiani kusango reMoabhu, ndokutonga pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake raiva Avhiti.
  1077. Gen 36:36 Hadhadhi ndokufa; Samura weMasereka ndokutonga pachinzvimbo chake.
  1078. Gen 36:37 Samura ndokufa; Shauri weRehobhoti parwizi akatonga pachinzvimbo chake.
  1079. Gen 36:38 Shauri ndokufa; Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokutonga pachinzvimbo chake.
  1080. Gen 36:39 Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokufa, Hadhari ndokutonga pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake raiva Pau; nezita remukadzi wake raiva Mehetabheri, mukunda waMatiredhi mukunda waMezahabhi.
  1081. Gen 36:40 Uye awa mazita emadzishe ekwaEsau, zvichienderana nemhuri dzawo, zvichienderana nenzvimbo dzawo, nemazita awo: Ishe Timuna, ishe Arivha, ishe Jeteti,
  1082. Gen 36:41 ishe Ohoribhama, ishe Era, ishe Pinoni,
  1083. Gen 36:42 ishe Kenazi, ishe Temani, ishe Mibhizari,
  1084. Gen 36:43 ishe Magidhieri, ishe Iramu; awa madzishe aEdhomu, maererano nenzvimbo dzavo dzekugara, munyika yenhaka yavo. Uyu ndiEsau, baba vaEdhomu.
  1085. Gen 37:1 Zvino Jakove wakagara munyika yeutorwa hwababa vake, munyika yeKenani.
  1086. Gen 37:2 Urwu rudzi rwaJakove: Josefa waiva ane makore gumi nemanomwe, achifudza makwai pamwe nemadzikoma ake; waiva ari mukomana pamwe nevanakomana vaBhiriha, nevanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa ndokuunza mashoko ekuipa kwavo kuna baba vavo.
  1087. Gen 37:3 Zvino Israeri waida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti waiva mwanakomana weutana hwake; akamuitira nguvo refu yaiva ine mavara-mavara.
  1088. Gen 37:4 Zvino madzikoma ake paakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura madzikoma ake ose, vakamuvengawo, ndokusagona kutaura kwaari nerugare.
  1089. Gen 37:5 Zvino Josefa wakarota hope, ndokuudza madzikoma ake; naizvozvo vakanyanyazve kumuvenga.
  1090. Gen 37:6 Zvino wakati kwavari: Donzwaiwo hope idzi dzandarota.
  1091. Gen 37:7 Zvino tarirai, takanga tichisunga zvisote pakati pemunda, uye tatirai, chisote changu chakamira kuti tasa, zvino tarirai, zvisote zvenyu zvakakomba, ndokukotama pamberi pechisote changu.
  1092. Gen 37:8 Zvino madzikoma ake akati kwaari: Ko kutonga uchatitonga, zvirokwazvo uchava nesimba pamusoro pedu here? Vakanyanyazve kumuvenga nekuda kwehope dzake uye nekuda kwemashoko ake.
  1093. Gen 37:9 Zvino wakarotazve chimwe chiroto, ndokuchiudza madzikoma ake, ndokuti: Tarirai, ndarotazve hope; zvino tarirai, zuva nemwedzi nenyeredzi gumi neimwe, dzichindikotamira.
  1094. Gen 37:10 Zvino wakarondedzera kuna baba vake nekumadzikoma ake izvozvo; baba vake ndokumutsiura vakati kwaari: Ihopei iyi yawarota? Ini namai vako nemadzikoma ako tichauya zvirokwazvo kukotama pasi pamberi pako kanhi?
  1095. Gen 37:11 Madzikoma ake ndokumugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iri.
  1096. Gen 37:12 Zvino madzikoma ake akanofudza makwai ababa vavo paShekemu.
  1097. Gen 37:13 Israeri ndokuti kuna Josefa: Madzikoma ako haafudzi paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye ndokuti kwavari: Ndiri pano.
  1098. Gen 37:14 Zvino wakati kwaari: Enda hako unotarira kuchengeteka kwemadzikoma ako, nekuchengeteka kwemakwai, ugondidzosera shoko. Naizvozvo wakamutuma kubva pamupata weHebhuroni, iye ndokunosvika kuShekemu.
  1099. Gen 37:15 Zvino murume wakamuwana, nokuti tarira waidzungaira musango; murume ndokumubvunza achiti: Unotsvakei?
  1100. Gen 37:16 Iye ndokuti: Ndinotsvaka madzikoma angu; dondiudza hako kwavanofudzira.
  1101. Gen 37:17 Murume ndokuti: Vakabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti: Ngatiende kuDhotani. Josefa ndokutevera madzikoma ake, ndokuvawana paDhotani.
  1102. Gen 37:18 Zvino vakamuona achiri kure; uye asati aswedera kwavari, vakarangana pamusoro pake kuti vamuuraye.
  1103. Gen 37:19 Zvino vakataurirana vachiti: Tarirai tenzi wezviroto uyu wauya.
  1104. Gen 37:20 Naizvozvo uyai ikozvino timuuraye, tigomukandira mune rimwe remakomba awa, tigoti: Chikara chakaipa chamudya; tigoona kuti hope dzake dzichavei.
  1105. Gen 37:21 Zvino Rubheni wakazvinzwa, ndokumununura muruoko rwavo, ndokuti: Ngatirege kumurova upenyu.
  1106. Gen 37:22 Rubheni ndokuti kwavari: Musateura ropa; mukandirei mugomba iri riri murenje, asi regai kuisa ruoko kwaari; kuti amununure paruoko rwavo, agomudzosera kuna baba vake.
  1107. Gen 37:23 Zvino zvakaitika Josefa asvika kumadzikoma ake, kuti vakakurura Josefa nguvo yake refu, nguvo refu yaiva ine mavara-mavara, yaaiva akapfeka;
  1108. Gen 37:24 zvino vakamutora, ndokumukandira mugomba; asi gomba raiva risina chinhu, musina mvura mariri.
  1109. Gen 37:25 Zvino vakagara pasi kudya zvekudya; zvino vakasimudza meso avo, ndokuona, zvino tarira, dungwe revaIshimaeri vachibva Giriyadhi, nemakamera avo vakatakura zvinhu zvinonhuhwira, nebarisami, nemura, vachienda kunozviburusira kuEgipita.
  1110. Gen 37:26 Zvino Judha wakati kuvana vababa vake: Mubairoi, kana tikauraya munin’ina wedu ndokufukidza ropa rake?
  1111. Gen 37:27 Uyai timutengese kuvaIshimaeri; neruoko rwedu rwurege kuva kwaari; nokuti munin’ina wedu, nyama yedu. Vana vababa vake ndokuteerera.
  1112. Gen 37:28 Zvino vatengesi vevaMidhiani vakapfuurapo, zvino vakamukweva vachisimudza Josefa kubuda mugomba, ndokutengesa Josefa kuvaIshimaeri nemashekeri makumi maviri; ivo ndokuunza Josefa kuEgipita.
  1113. Gen 37:29 Rubheni ndokudzokera kugomba, zvino tarira, Josefa waiva asimo mugomba; iye ndokubvarura nguvo dzake.
  1114. Gen 37:30 Zvino wakadzokera kuvanin’ina vake, ndokuti: Mwana haachipo; neni ndichaendepi?
  1115. Gen 37:31 Zvino vakatora nguvo refu yaJosefa, ndokuuraya mbudzana yembudzi, ndokunyika nguvo refu muropa.
  1116. Gen 37:32 Zvino vakatumira nguvo refu yemavara-mavara, ndokuiendesa kuna baba vavo, ndokuti: Tawana ichi; zivai henyu kana iri nguvo refu yemwanakomana wenyu, kana kwete.
  1117. Gen 37:33 Zvino vakaiziva ndokuti: Inguvo refu yemwanakomana wangu; chikara chakaipa chamudya; zvirokwazvo Josefa wabvamburwa-bvamburwa.
  1118. Gen 37:34 Jakove ndokubvarura nguvo dzake, ndokuisa masaga pachiuno chake, ndokuchema mwanakomana wake mazuva mazhinji.
  1119. Gen 37:35 Zvino vanakomana vake vose nevakunda vake vose vakasimuka kumunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, ndokuti: Nokuti ndichaburukira kuguva kumwanakomana wangu ndichichema. Baba vake vakamuungudzira saizvozvo.
  1120. Gen 37:36 Zvino vaMidhiani vakamutengesa muEgipita kuna Potifari, mutenwa waFarao, mukuru wevarindi.
  1121. Gen 38:1 Zvino zvakaitika nenguva iyoyo kuti Judha wakaburuka kubva kuvana vababa vake, ndokutsaukira kumurume muAdhuramu, zita rake raiva Hira.
  1122. Gen 38:2 Judha ndokuonapo mukunda wemurume muKenani, zita rake raiva Shua, ndokumutora, ndokupinda kwaari.
  1123. Gen 38:3 Zvino wakabata mimba, ndokubereka mwanakomana, iye ndokutumidza zita rake Eri.
  1124. Gen 38:4 Zvino wakabatazve mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Onani.
  1125. Gen 38:5 Zvino wakawedzerazve, ndokubereka mwanakomana; ndokutumidza zita rake Shera; asi waiva paKezibhi pakumubereka kwake.
  1126. Gen 38:6 Zvino Judha wakatorera Eri dangwe rake mukadzi, uye zita rake raiva Tamari.
  1127. Gen 38:7 Asi Eri dangwe raJudha waiva akaipa pameso paJehovha; Jehovha ndokumuuraya.
  1128. Gen 38:8 Zvino Judha wakati kuna Onani: Pinda kumukadzi wemukoma wako, umuitirewo faniro yemurume yemukoma, ugomutsira mukoma wako chizvarwa.
  1129. Gen 38:9 Zvino Onani wakaziva kuti chizvarwa hachingavi chake; ndokuitika kuti kana opinda kumukadzi wemukoma wake, wakaparadza mbeu pasi, kuti arege kupa chizvarwa kumukoma wake.
  1130. Gen 38:10 Zvino ichi chaakaita chakava chakaipa pameso aJehovha; naizvozvo wakamuurayawo.
  1131. Gen 38:11 Judha ndokuti kuna Tamari mukadzi wemwana wake: Gara uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvika Shera mwanakomana wangu akura; nokuti wakati: Zvimwe angafa naiye semadzikoma ake. Tamari akandogara kumba kwababa vake.
  1132. Gen 38:12 Shure kwemazuva mazhinji mukunda waShua mukadzi waJudha wakafa. Judha wakati anyaradzwa ndokukwira kuvaveuri vemakwai ake kuTimunati, iye naHira shamwari yake muAdhuramu.
  1133. Gen 38:13 Zvino zvakaziviswa kuna Tamari zvichinzi: Tarira baba vemurume wako vanokwira kuTimunati kunoveura makwai avo.
  1134. Gen 38:14 Zvino wakakurura nguvo dzeuchirikadzi hwake, ndokuzvifukidza nechifukidzo chekumeso, ndokuzvimonera, ndokugara pasuwo reEnaimu, riri panzira inoenda kuTimunati; nokuti waiva aona kuti Shera akura, asi haana kupiwa kwaari iye ave mukadzi wake.
  1135. Gen 38:15 Judha wakati amuona akafunga kuti chifeve, nokuti waiva afukidza chiso chake.
  1136. Gen 38:16 Zvino wakatsaukira kwaari panzira ndokuti: Douya ndipinde kwauri; nokuti waiva asingazivi kuti mukadzi wemwanakomana wake. Iye ndokuti: Uchandipei kuti upinde kwandiri?
  1137. Gen 38:17 Iye ndokuti: Ini ndichatumira sheche yembudzi inobva kuzvipfuwo. Iye ndokuti: Uchandipa chibatiso kusvika waituma here?
  1138. Gen 38:18 Judha ndokuti: Chibatisoi chandichakupa? Iye ndokuti: Chidhindo chako, nerwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Zvino wakamupa, ndokupinda kwaari, iye ndokubata mimba naye.
  1139. Gen 38:19 Zvino wakasimuka ndokuenda, ndokukurura chifukidzo chake chekumeso kubva paari, ndokupfeka nguvo dzeuchirikadzi hwake.
  1140. Gen 38:20 Zvino Judha wakatumira sheche yembudzi neruoko rweshamwari yake muAdhuramu, kuti atore chibatiso paruoko rwemukadzi; asi haana kumuwana.
  1141. Gen 38:21 Zvino wakabvunza vanhu venzvimbo yekwake achiti: Chiripi chifeve chaiva paEnaimu panzira? Vakati: Hakuna kumbova nechifeve pano.
  1142. Gen 38:22 Zvino wakadzokera kuna Judha ndokuti: Handina kumuwana; uyewo vanhu venzvimbo iyo vakati: Hapana kumbova nechifeve pano.
  1143. Gen 38:23 Judha ndokuti: Ngaazvitorere, zvimwe tingazvidzika; tarira ndatuma mbudzana iyi, asi iwe ukasamuwana.
  1144. Gen 38:24 Zvino zvakaitika shure kwemwedzi inenge mitatu, kuti zvakaziviswa kuna Judha zvichinzi: Tamari, mukadzi wemwanakomana wako, wakaita ufeve, uyewo tarira, wava nemimba neufeve. Judha ndokuti: Mubudisei apiswe.
  1145. Gen 38:25 Wakati abudiswa, iye ndokutuma shoko kuna baba vemurume wake achiti: Ndine mimba nemurume ane zvinhu izvi; ndokuti: Cherekedzai henyu kuti izvi ndezvani: Chidhindo, nerwonzi, netsvimbo.
  1146. Gen 38:26 Judha ndokuzvitenda, ndokuti: Wakarurama kukunda ini, nokuti sezvo ndisina kumupa Shera mwanakomana wangu. Asi haana kuzomuzivazve.
  1147. Gen 38:27 Zvino zvakaitika panguva yekubereka kwake, zvino tarira, mapatya aiva mudumbu rake.
  1148. Gen 38:28 Zvino zvakaitika pakubereka kwake, kuti umwe wakabudisa ruoko; nyamukuta ndokutora rwodzi rutsvuku, akarusungira paruoko rwake achiti: Uyu achatanga kubuda.
  1149. Gen 38:29 Asi wakati achidzosera ruoko rwake, tarira, munin’ina wake wakabuda; iye ndokuti: Wapoya sei? Kupoya kuri pamusoro pako. Ndokutumidza zita rake Perezi.
  1150. Gen 38:30 Zvino pashure kwakabuda mukoma wake waiva ane rwodzi rutsvuku paruoko rwake; ndokutumidza zita rake Zera.
  1151. Gen 39:1 Zvino Josefa wakaburusirwa kuEgipita; Potifari, gurukota raFarao, mukuru wevarindi, muEgipita, ndokumutenga paruoko rwevaIshimaeri, vaiva vamuburusirako.
  1152. Gen 39:2 Jehovha ndokuva naJosefa, kusvika ava munhu wakabudirira; ndokuva mumba matenzi wake, muEgipita.
  1153. Gen 39:3 Tenzi wake ndokuona kuti Jehovha anaye, uye kuti zvose zvaaiva achiita Jehovha wakazvibudiririsa muruoko rwake.
  1154. Gen 39:4 Josefa ndokuwana nyasha pameso ake, ndokumubatira; iye ndokumuita mubati weimba yake; nezvose zvaaiva nazvo wakapa muruoko rwake.
  1155. Gen 39:5 Zvino zvakaitika kubva paakamuita mubati weimba yake newezvose zvaaiva nazvo, kuti Jehovha wakaropafadza imba yemuEgipita nekuda kwaJosefa; uye ropafadzo yaJehovha yaiva iri pamusoro pezvose zvaaiva nazvo mumba nekumunda.
  1156. Gen 39:6 Zvino wakasiya zvose zvaaiva nazvo muruoko rwaJosefa; uye iye waiva asingazivi chinhu chaiva chinaye kunze kwekudya kwaaidya. Zvino Josefa waiva akanaka pachimiro, uye akanaka pakuonekwa.
  1157. Gen 39:7 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti mukadzi watenzi wake wakakanda meso ake kuna Josefa; ndokuti: Rara neni.
  1158. Gen 39:8 Asi iye wakaramba, ndokuti kumukadzi watenzi wake: Tarirai, tenzi wangu haazivi zvineni mumba, uye zvose zvaanazvo wakapa muruoko rwangu;
  1159. Gen 39:9 hakuna mukuru muimba ino kupfuura ini; uye haana kundinyima chinhu, kunze kwenyu, nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita sei chinhu ichi chakaipa zvikuru, ndigotadzira Mwari?
  1160. Gen 39:10 Zvino zvakaitika, achitaura naJosefa zuva nezuva, kuti haana kumuteerera, kuti arare naye, kana kuva naye.
  1161. Gen 39:11 Ndokuitika nerimwe zuva, kuti wakapinda mumba kuita basa rake, uye paiva pasina umwe wevarume vemumba ipapo mumba.
  1162. Gen 39:12 Zvino wakamubata nenguvo yake achiti: Rara neni; iye ndokusiya nguvo yake muruoko rwake, ndokutiza, ndokubuda panze.
  1163. Gen 39:13 Zvino zvakaitika paakaona kuti wasiya nguvo yake muruoko rwake, ndokutizira panze,
  1164. Gen 39:14 kuti wakadana varume veimba yake, ndokutaura kwavari achiti: Tarirai, iye akaunza munhu muHebheru kwatiri kutamba nesu; wapinda kwandiri kuti arare neni, ndikadanidzira neinzwi guru.
  1165. Gen 39:15 Zvino zvaitika anzwa kuti ndasimudza inzwi ndokudanidzira, kuti wasiya nguvo yake kwandiri, ndokutiza, ndokubuda panze.
  1166. Gen 39:16 Zvino wakaisa nguvo yake kwaari kusvika tenzi wake achisvika kumba kwake.
  1167. Gen 39:17 Ndokutaura kwaari maererano nemashoko awa achiti: Muranda muHebheru wawakaisa kwatiri, wauya kwandiri kuti atambe neni;
  1168. Gen 39:18 zvino zvaitika ndichisimudza inzwi rangu ndichidanidzira, kuti wasiya nguvo yake kwandiri, ndokutizira panze.
  1169. Gen 39:19 Zvino zvakaitika tenzi wake achinzwa mashoko emukadzi wake aakataura kwaari achiti: Muranda wako wandiitira sezvinhu izvi; kuti hasha dzake dzakapfuta.
  1170. Gen 39:20 Tenzi waJosefa ndokumutora, ndokumuisa mutirongo, nzvimbo vasungwa vamambo mavaisungirwa; akavamo mutirongo.
  1171. Gen 39:21 Asi Jehovha wakava naJosefa, ndokumutandavadzira ngoni, ndokumupa nyasha pameso emutariri wetirongo.
  1172. Gen 39:22 Mutariri wetirongo ndokupa muruoko rwaJosefa vasungwa vose vaiva mutirongo; uye aiva muiti wezvose zvavaiitamo.
  1173. Gen 39:23 Mutariri wetirongo waiva asingatarisi chinhu chaiva chiri muruoko, nokuti Jehovha waiva anaye; uye zvaaiita, Jehovha wakazvibudiririsa.
  1174. Gen 40:1 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, [kuti] mudiri wamambo weEgipita nemubiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weEgipita.
  1175. Gen 40:2 Zvino Farao wakatsamwira vatenwa vake vaviri, ivo mukuru wevadiri nemukuru wevabiki.
  1176. Gen 40:3 Zvino wakavakumikidza muchitokisi, mumba memukuru wevarindi, mutirongo, nzvimbo maiva makasungwa Josefa.
  1177. Gen 40:4 Mukuru wevarindi ndokuraira Josefa kuva navo, iye akavashandira, uye vakava nemazuva muchitokisi.
  1178. Gen 40:5 Zvino vose vaviri vakarota hope, umwe neumwe chiroto chake, muusiku humwe, umwe neumwe maererano nedudziro yechiroto chake, mudiri nemubiki vaiva vamambo weEgipita, vaiva vakasungwa mutirongo.
  1179. Gen 40:6 Zvino Josefa wakapinda kwavari mangwanani, ndokuvaona, zvino tarira, vakasuruvara.
  1180. Gen 40:7 Zvino wakabvunza vatenwa vaFarao vaiva pamwe naye muchitokisi chemumba matenzi wake, achiti: Sei zviso zvenyu zvakasuruvara nhasi?
  1181. Gen 40:8 Zvino vakati kwaari: Tarota hope, zvino hakuna mududziri wayo. Josefa ndokuti kwavari: Dudziro hadzisi nemunaMwari here? Dondirondedzerai henyu.
  1182. Gen 40:9 Zvino mukuru wevadiri wakarondedzera chiroto chake kuna Josefa, ndokuti kwaari: Muchiroto changu, zvino tarira, muzambiringa pamberi pangu;
  1183. Gen 40:10 uye pamuzambiringa paiva nematavi matatu; uye waiita seanotunga, wakabudisa maruva awo; uye masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva.
  1184. Gen 40:11 Zvino mukombe waFarao waiva uri muruoko rwangu; ini ndokutora mazambiringa, ndokuasvinira mumukombe waFarao, ndokupa mukombe muruoko rwaFarao.
  1185. Gen 40:12 Josefa ndokuti kwaari: Iyi ndiyo dudziro yacho: Matavi matatu mazuva matatu;
  1186. Gen 40:13 mukati meamwe mazuva matatu Farao achasimudza musoro wako, ndokukudzosera pachinzvimbo chako; uye uchapa mukombe waFarao muruoko rwake, senzira yepakutanga pawaiva uri mudiri wake.
  1187. Gen 40:14 Asi undirangarire pamwe newe, pazvinenge zvakunakira; uye undiitire hako tsitsi, uye undireverere kuna Farao, ugondibudisa paimba ino.
  1188. Gen 40:15 Nokuti zvirokwazvo ndakabiwa kubva kunyika yevaHebheru; nepano handina kuita chinhu kuti vandiise mugomba.
  1189. Gen 40:16 Mukuru wevabiki wakati aona kuti wadudzira zvakanaka, wakati kuna Josefa: Iniwo ndaiva ndiri pachiroto changu, zvino tarira, paiva netswanda nhatu dzezvingwa zvichena mumusoro mangu;
  1190. Gen 40:17 zvino mutswanda yepamusoro maiva nezvekudya zvose zvaFarao, basa remubiki; shiri ndokuzvidya kubva mutswanda yaiva pamusoro pemusoro wangu.
  1191. Gen 40:18 Zvino Josefa wakapindura ndokuti: Iyi ndiyo dudziro yayo: Tswanda nhatu mazuva matatu;
  1192. Gen 40:19 mukati meamwe mazuva matatu Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, uye achakusungirira pamuti; uye shiri dzichadya nyama yako kubva pauri.
  1193. Gen 40:20 Zvino zvakaitika nezuva retatu, zuva rekuzvarwa kwaFarao, kuti wakaitira varanda vake vose mabiko; ndokusimudza musoro wemukuru wevadiri, nemusoro wemukuru wevabiki pakati pevaranda vake.
  1194. Gen 40:21 Zvino wakadzosera mukuru wevadiri paudiri hwake, iye ndokupa mukombe muruoko rwaFarao.
  1195. Gen 40:22 Asi wakaremberedza mukuru wevabiki Josefa sezvaaiva avadudzira.
  1196. Gen 40:23 Asi mukuru wevadiri haana kurangarira Josefa, asi wakamukanganwa.
  1197. Gen 41:1 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore maviri akazara, kuti Farao wakarota; zvino tarira, akamira parwizi.
  1198. Gen 41:2 Zvino tarira, murwizi makabuda mhou nomwe, dzakanaka pakuonekwa, uye dzakakora panyama; uye dzaifura pakati penhokwe.
  1199. Gen 41:3 Zvino tarira, dzimwe mhou nomwe dzichikwira mushure madzo, dzichibva murwizi, dzakaipa pakuonekwa, uye dzakaonda panyama; dzikamira pedo nemhou pamahombekombe erwizi.
  1200. Gen 41:4 Zvino mhou dzakaipa pakuonekwa nedzakaonda panyama dzakadya mhou nomwe dzaiva dzakanaka pakuonekwa uye dzakakora. Farao ndokupepuka.
  1201. Gen 41:5 Zvino wakarara ndokurota rwechipiri; zvino tarira, hura nomwe dzakatumbuka padzinde rimwe, dzakakora uye dzakanaka.
  1202. Gen 41:6 Zvino tarira, hura nomwe, dzaiva dzakaonda, dzaiva dzapiswa nemhepo yekumabvazuva, dzichibuka shure kwadzo.
  1203. Gen 41:7 Zvino hura dzakaonda dzikamedza hura nomwe dzakakora dzaiva dzizere. Farao ndokupepuka, zvino tarira, chaiva chiroto.
  1204. Gen 41:8 Zvino zvakaitika mangwanani, kuti mweya wake wakatambudzika, ndokutuma vanhu kunodana n’anga dzose dzeEgipita nevakachenjera vose veko; Farao ndokuvarondedzera chiroto chake; asi kwaiva kusina angachidudzira kuna Farao.
  1205. Gen 41:9 Zvino mukuru wevadiri wakataura kuna Farao akati: Nhasi ndinorangarira zvivi zvangu.
  1206. Gen 41:10 Farao aiva akatsamwira varanda vake, ndokundipira muchitokisi, mumba memukuru wevarindi, ini nemukuru wevabiki;
  1207. Gen 41:11 zvino takarota hope muusiku humwe, ini naiye; takarota umwe neumwe zvichienderana nedudziro yechiroto chake.
  1208. Gen 41:12 Zvino ipapo paiva nejaya muHebheru pamwe nesu, muranda wemukuru wevarindi; zvino takamurondedzera iye ndokutidudzira hope dzedu; wakadudzira kune umwe neumwe zvichienderana nechiroto chake.
  1209. Gen 41:13 Zvino zvakaitika kuti zvakava sezvaakatidudzira; ini wakandidzosera pachinzvimbo changu, asi iye wakamuremberedza.
  1210. Gen 41:14 Zvino Farao wakatuma munhu ndokudana Josefa, ivo ndokukurumidza kumubudisa mugomba; iye ndokuveura, ndokupfeka dzimwe nguvo, ndokupinda kuna Farao.
  1211. Gen 41:15 Farao ndokuti kuna Josefa: Ndarota chiroto, asi hakuna anochidudzira; zvino ini ndanzwa nezvako zvichinzi unonzwisisa hope kuti udzidudzire.
  1212. Gen 41:16 Josefa ndokupindura Farao achiti: Hazvisi mandiri. Mwari achapindura Farao nerugare.
  1213. Gen 41:17 Farao ndokutaura kuna Josefa akati: Pachiroto changu, tarira, ndaiva ndimire pamahombekombe erwizi;
  1214. Gen 41:18 uye tarira, kwakabuda kubva murwizi mhou nomwe dzaiva dzakakora panyama, dzakanaka pakuona; ndokufura pakati penhokwe.
  1215. Gen 41:19 Zvino tarira, dzimwe mhou nomwe dzakakwira pashure padzo, dzakaperezeka, dzakaipa pachimiro kwazvo, dzakaonda panyama; handina kuona dzakadaro pakuipa panyika yose yeEgipita.
  1216. Gen 41:20 Zvino mhou dzakaonda uye dzakaipa dzakadya mhou dziya dzakakora dzekutanga.
  1217. Gen 41:21 Dzakati dzapinda madziri, hadzina kuzikanwa kuti dzapinda madziri; asi chimiro chadzo chaiva chakaipa sepakutanga. Zvino ndikapepuka.
  1218. Gen 41:22 Zvino ndakaona muchiroto changu, zvino tarira, hura nomwe dzakabuda padzinde rimwe, dzakazara uye dzakanaka;
  1219. Gen 41:23 zvino tarira, hura nomwe, dzakasvava, nhete, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva, dzichibuka shure kwadzo.
  1220. Gen 41:24 Zvino hura nhete idzi dzakamedza hura nomwe dzakanaka. Zvino ndakataura kun’anga, asi kwaiva kusina angandidudzira.
  1221. Gen 41:25 Josefa ndokuti kuna Farao: Chiroto chaFarao ndechimwe; Mwari waratidza Farao zvaanoita.
  1222. Gen 41:26 Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwe; hope ndeimwe.
  1223. Gen 41:27 Uye mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwadzo ndiwo makore manomwe; nehura nomwe dzakaputana, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva, achava makore manomwe enzara.
  1224. Gen 41:28 Chinhu ichi chandataura kuna Farao: Izvo Mwari zvaanoita, wakazviratidza kuna Farao.
  1225. Gen 41:29 Tarirai, kunouya makore manomwe emaguta makuru panyika yose yeEgipita.
  1226. Gen 41:30 Zvino kuchamuka makore manomwe enzara shure kwawo; uye maguta ose achakanganikwa munyika yeEgipita; uye nzara ichapedza nyika;
  1227. Gen 41:31 uye maguta haangazozikanwi munyika nekuda kwenzara inozoatevera, nokuti icharema kwazvo.
  1228. Gen 41:32 Zvino hope sezvadzakadzokororwa kuna Farao kaviri, nokuti chinhu chakasimbiswa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuchiita.
  1229. Gen 41:33 Naizvozvo ikozvino Farao ngaatsvake murume wakangwara, uye wakachenjera, amuise pamusoro penyika yeEgipita.
  1230. Gen 41:34 Farao ngaaite izvi, uye ngaagadze vatariri panyika, uye atore cheshanu chenyika yeEgipita mumakore manomwe emaguta.
  1231. Gen 41:35 Zvino ngaaunganidze kudya kose kwemakore awa akanaka anouya, atutire zviyo pasi peruoko rwaFarao, uye zvive kudya mumaguta, vagozvichengeta.
  1232. Gen 41:36 Uye kudya uku kuchava dura kunyika pamakore manomwe enzara ichava munyika yeEgipita, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.
  1233. Gen 41:37 Zvino chinhu ichi chakava chakanaka pameso aFarao nepameso evaranda vake vose.
  1234. Gen 41:38 Farao ndokuti kuvaranda vake: Tingawana wakaita seuyu, murume ane Mweya waMwari maari here?
  1235. Gen 41:39 Farao ndokuti kuna Josefa: Mwari sezvaakakuratidza izvi zvose, hapana wakangwara uye wakachenjera sewe.
  1236. Gen 41:40 Ndiwe uchava pamusoro peimba yangu; uye zvichienderana nemuromo wako vanhu vangu vose vachatongwa; koga pachigaro chekutonga ndichava mukuru kwauri.
  1237. Gen 41:41 Zvino Farao akati kuna Josefa: Tarira, ndakuisa pamusoro penyika yose yeEgipita.
  1238. Gen 41:42 Farao ndokubvisa mhete yake kubva paruoko rwake, ndokuiisa paruoko rwaJosefa, ndokumupfekedza nguvo dzemucheka wakaisvonaka, ndokuisa ruketani rwegoridhe pamutsipa wake;
  1239. Gen 41:43 zvino wakamutasvisa ngoro yechipiri yaaiva nayo; zvino vakadanidzira pamberi pake, vachiti: Fugamai! Zvino akamuisa pamusoro penyika yose yeEgipita.
  1240. Gen 41:44 Farao ndokuti kuna Josefa: Ini Farao, uye kunze kwako hakuna achasimudza ruoko rwake nerutsoka rwake panyika yose yeEgipita.
  1241. Gen 41:45 Farao ndokutumidza zita raJosefa kuti Zafanati-Panea; ndokumupa Asenati, mukunda waPotifera mupristi weOni kuva mukadzi. Josefa ndokubuda, ndokugura nenyika yeEgipita.
  1242. Gen 41:46 Zvino Josefa waiva ari wemakore makumi matatu paakamira pamberi paFarao mambo weEgipita. Josefa ndokubuda kubva pamberi paFarao, ndokugura nenyika yose yeEgipita.
  1243. Gen 41:47 Nyika ndokubereka nechanza mumakore manomwe emaguta.
  1244. Gen 41:48 Zvino wakaunganidza kudya kose kwemakore manomwe aiva panyika yeEgipita, ndokuisa kudya mumaguta; kudya kwemunda weguta waiva wakaripoteredza, akaisa mukati maro.
  1245. Gen 41:49 Zvino Josefa wakaunganidza zviyo kuita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvika arega kuverenga; nokuti zvaiva zvisina maverengero.
  1246. Gen 41:50 Zvino Josefa wakaberekerwa vanakomana vaviri gore renzara risati rasvika, avo Asenati mukunda waPotifera, mupristi weOni vaakamuberekera.
  1247. Gen 41:51 Josefa ndokutumidza zita redangwe kuti Manase, achiti: Nokuti Mwari wakandikanganwisa kutambudzika kwangu kose neimba yababa vangu yose.
  1248. Gen 41:52 Zvino zita rewechipiri wakaritumidza Efuremu, achiti: Nokuti Mwari wakandiberekesa panyika yekutambudzika kwangu.
  1249. Gen 41:53 Zvino makore manomwe emaguta, aiva ari panyika yeEgipita, akapera.
  1250. Gen 41:54 Makore manomwe enzara ndokutanga kusvika, sezvakataura Josefa; uye nzara yaivapo panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita paiva pane chingwa.
  1251. Gen 41:55 Nyika yose yeEgipita yakati yava nenzara, vanhu vakachemera chingwa kuna Farao; Farao ndokuti kuvaEgipita vose: Endai kuna Josefa, zvaanotaura kwamuri, itai.
  1252. Gen 41:56 Nzara yaiva iri pamusoro pechiso chenyika yose; Josefa ndokuzarura zvose zvaiva nechinhu, ndokutengesera vaEgipita; nzara ndokusimba panyika yeEgipita.
  1253. Gen 41:57 Nyika yose ndokuuya muEgipita kuna Josefa kuzotenga; nokuti nzara yaiva yakasimba panyika yose.
  1254. Gen 42:1 Zvino Jakove paakaona kuti kwaiva nezviyo muEgipita, Jakove ndokuti kuvanakomana vake: Sei muchitarirana?
  1255. Gen 42:2 Akatiwo: Tarirai, ndanzwa kuti kune zviyo muEgipita; burukiraiko, munotitengera kubva ikoko, kuti tirarame, uye tirege kufa.
  1256. Gen 42:3 Zvino madzikoma aJosefa gumi akaburuka kunotenga zviyo muEgipita.
  1257. Gen 42:4 Asi Bhenjamini, munin’ina waJosefa, Jakove haana kumutuma pamwe nemadzikoma ake, nokuti wakati: Zvimwe angawirwa nenjodzi.
  1258. Gen 42:5 Zvino vanakomana vaIsraeri vakauya kuzotenga pakati pevaiuya, nokuti nzara yaiva iri panyika yeKenani.
  1259. Gen 42:6 Zvino Josefa waiva mutungamiriri panyika; ndiye aitengesa kuvanhu vose venyika; zvino madzikoma aJosefa akauya, ndokumufugamira zviso zvakatarira pasi.
  1260. Gen 42:7 Josefa ndokuona madzikoma ake, ndokuvaziva, asi wakazviita seasingazikanwi kwavari, ndokutaura navo zvinhu zvakaoma, ndokuti kwavari: Mabvepi? Ivo ndokuti: Kunyika yeKenani kuzotenga kudya.
  1261. Gen 42:8 Zvino Josefa wakaziva madzikoma ake, asi ivo havana kumuziva.
  1262. Gen 42:9 Zvino Josefa wakarangarira hope dzaakarota pamusoro pavo, ndokuti kwavari: Muri vashori, mauya kuzoona kushama kwenyika.
  1263. Gen 42:10 Ivo ndokuti kwaari: Kwete, ishe wangu, asi varanda venyu vauya kuzotenga kudya.
  1264. Gen 42:11 Tose tiri vanakomana vemunhu umwe chete; tiri muchokwadi, varanda venyu havasi vashori.
  1265. Gen 42:12 Iye ndokuti kwavari: Kwete, asi mauya kuzoona kushama kwenyika.
  1266. Gen 42:13 Ivo ndokuti: Isu varanda venyu, tiri madzikoma nevanin’ina gumi nevaviri, tiri vanakomana vemunhu umwe panyika yeKenani; zvino tarirai, mudikisa ari kuna baba vedu nhasi; uye umwe haapo.
  1267. Gen 42:14 Josefa ndokuti kwavari: Izvi ndizvo zvandataura kwamuri, ndichiti: Muri vashori.
  1268. Gen 42:15 Nechinhu ichi muchaedzwa: Neupenyu hwaFarao, hamungabudi pano, kunze kwekuti munin’ina wenyu mudikisa auya pano.
  1269. Gen 42:16 Tumai umwe wenyu agotora munin’ina wenyu, asi imwi muchasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana chokwadi chiri mamuri; kana zvisina kudaro, neupenyu hwaFarao! muri vashori zvirokwazvo.
  1270. Gen 42:17 Zvino wakavaunganidza muchitokisi mazuva matatu.
  1271. Gen 42:18 Josefa ndokuti kwavari nezuva retatu: Itai ichi kuti murarame: Ndinotya Mwari.
  1272. Gen 42:19 Kana muri muchokwadi, umwe wemadzikoma nevanin’ina venyu ngaagare akasungwa mumba yechitokisi chenyu; asi imwi endai, takurai zviyo zvenzara zvedzimba dzenyu.
  1273. Gen 42:20 Mugounza munin’ina wenyu mudikisa kwandiri; ipapo mashoko enyu achasimbiswa, kuti musafa. Zvino vakaita saizvozvo.
  1274. Gen 42:21 Zvino vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo tine mhosva nekuda kwemunin’ina wedu, nokuti takaona dambudziko remweya weupenyu wake, paakatinyengetera, asi hatina kuteerera; naizvozvo dambudziko iri rauya kwatiri.
  1275. Gen 42:22 Zvino Rubheni wakavapindura, achiti: Handina kutaura kwamuri here, ndichiti: Regai kutadzira mukomana? Asi hamuna kuteerera. Uyewo ropa rake, tarirai, rinotsvakwa.
  1276. Gen 42:23 Zvino ivo vaiva vasingazivi kuti Josefa anovanzwa, nokuti kwaiva nemuturikiri pakati pavo.
  1277. Gen 42:24 Zvino wakatendeuka kubva kwavari, ndokuchema; ndokudzokera kwavari, ndokutaura kwavari, ndokutora kubva pavari Simioni, ndokumusunga pamberi pemeso avo.
  1278. Gen 42:25 Zvino Josefa wakaraira kuti vazadze midziyo yavo nezviyo, nekudzosera mari yeumwe neumwe musaga rake, nekuvapa mbuva yerwendo; ndokuita saizvozvo kwavari.
  1279. Gen 42:26 Ipapo vakatakudza zviyo zvavo pambongoro dzavo, vakabvapo.
  1280. Gen 42:27 Umwe wakati achizarura saga rake kuti ape mbongoro yake kudya paimba yevaeni, akaona mari yake; nokuti tarira, yaiva iri pamuromo wesaga rake.
  1281. Gen 42:28 Zvino wakati kumadzikoma ake: Mari yangu yadzoswa; zvino tarirai, iri musaga rangu; ipapo vakapera moyo, zvino vakabvunda, umwe kune umwe vachiti: Chii ichi Mwari chaaita kwatiri?
  1282. Gen 42:29 Zvino vakasvika kuna Jakove baba vavo kunyika yeKenani, ndokumuudza zvose zvavakasangana nazvo, vachiti:
  1283. Gen 42:30 Murume, ishe wenyika iyo, wakataura zvakaoma kwatiri, ndokutitora sevashori venyika.
  1284. Gen 42:31 Asi takati kwaari: Tiri muchokwadi; hatisi vashori.
  1285. Gen 42:32 Tiri madzikoma nevanin’ina gumi nevaviri, vanakomana vababa vedu; umwe haapo, mudikisa nhasi una baba vedu munyika yeKenani.
  1286. Gen 42:33 Zvino murume, ishe wenyika iyo, wakati kwatiri: Hechi chandichaziva nacho kuti muri muchokwadi: Siyai umwe wemadzikoma nevanin’ina venyu neni, mutore zvenzara yedzimba dzenyu, muende.
  1287. Gen 42:34 Zvino unzai munin’ina wenyu mudikisa kwandiri; ipapo ndichaziva kuti hamusi vashori, asi muri muchokwadi. Ndichakupai munin’ina wenyu, mutengeserane munyika ino.
  1288. Gen 42:35 Zvino zvakaitika vachidurura masaga avo, zvino tarira, chisumbu chemari cheumwe neumwe chaiva chiri musaga rake; zvino vakati vaona zvisumbu zvemari yavo, ivo nababa vavo, vakatya.
  1289. Gen 42:36 Zvino Jakove baba vavo wakati kwavari: Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino motora Bhenjamini; zvinhu izvi zvose zvinorwa neni.
  1290. Gen 42:37 Zvino Rubheni wakataura kuna baba vake, achiti: Urayai vaviri vevanakomana vangu, kana ndikasamuunza kwamuri; mupei mumaoko angu, uye ini ndichamudzosa kwamuri.
  1291. Gen 42:38 Zvino Jakove wakati: Mwanakomana wangu haangaburuki nemwi, nokuti mukoma wake wakafa, uye iye wasara oga; kana chakaipa chikamuwira panzira yamunofamba, ipapo muchaburusira vhudzi rangu jena kuguva nekurwadziwa.
  1292. Gen 43:1 Zvino nzara yaiva yakanyanya munyika.
  1293. Gen 43:2 Zvino zvakaitika pavaiva vapedza kudya zviyo zvavaiva vauya nazvo kubva kuEgipita, kuti baba vavo vakati kwavari: Dzokerai, mutitengere kudya kushoma.
  1294. Gen 43:3 Judha ndokutaura kwavari, achiti: Murume uya akatiyambira kwazvo, achiti: Hamungaoni chiso changu, kunze kwekuti munin’ina wenyu anemwi.
  1295. Gen 43:4 Kana muchituma munin’ina wedu nesu, tichaburuka, tigonokutengerai kudya,
  1296. Gen 43:5 asi kana musingamutumi, hatiburuki; nokuti murume wakati kwatiri: Hamungaoni chiso changu, kunze kwekuti munin’ina wenyu anemwi.
  1297. Gen 43:6 Israeri ndokuti: Makandiitirei zvakaipa nekuudza murume uyu kuti muchine munin’ina?
  1298. Gen 43:7 Ivo ndokuti: Murume uyu wakabvunzisisa maererano nesu nemaererano nehama dzedu, achiti: Baba venyu vachiri vapenyu here? Mune munin’ina here? Zvino takamuudza zvichienderana nemashoko awa; taiziva zvirokwazvo here kuti achati: Burukai nemunin’ina wenyu?
  1299. Gen 43:8 Zvino Judha wakati kuna Israeri baba vake: Tumai mukomana neni, tigosimuka, tigoenda, tigorarama, tigorega kufa, tose isu nemwi, nevanana vedu.
  1300. Gen 43:9 Ini ndichava chibatiso chake; muchamutsvaka muruoko rwangu; kana ndikasamuunza kwamuri, nekumuisa pamberi penyu, ipapo ndichava nemhosva kwamuri mazuva ose.
  1301. Gen 43:10 Nokuti kunze kwekuti tanonoka, zvirokwazvo ikozvino tingadai tadzoka kaviri.
  1302. Gen 43:11 Baba vavo Israeri ndokuti kwavari: Kana zvakadaro ikozvino, itai ichi: Torai zvemichero yakanakisisa yenyika mumidziyo yenyu, muburukire kumurume nechipo, bharsami shoma, neuchi ushoma, zvinonhuhwira nemura, shomhwe dzepisitakio, nemaarimondi;
  1303. Gen 43:12 uye torai mari yakapamhidzwa kaviri muruoko rwenyu, nemari yaiva yadzoserwa pamuromo wemasaga enyu, idzoserei muruoko rwenyu; zvimwe yaiva mhosho.
  1304. Gen 43:13 Toraiwo munin’ina wenyu, musimuke, mudzokere kumurume uyo.
  1305. Gen 43:14 Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakupei ngoni pamberi pemurume uyu, kuti akusunungurirei umwe munin’ina wenyu naBhenjamini. Zvino ini kana ndatorerwa vana, ndatorerwa vana.
  1306. Gen 43:15 Zvino varume vakatora chipo icho, vakatorawo mari yakapamhidzirwa kaviri muruoko rwavo, naBhenjamini, ndokusimuka, ndokuburukira kuEgipita, ndokumira pamberi paJosefa.
  1307. Gen 43:16 Josefa wakati achiona Bhenjamini anavo, wakati kumutariri weimba yake: Uya nevarume mumba, ugouraya chipfuwo, ugogadzirira, nokuti varume ava vachadya neni masikati.
  1308. Gen 43:17 Zvino murume wakaita sezvakareva Josefa, murume uyo ndokupinza varume mumba maJosefa.
  1309. Gen 43:18 Zvino varume vakatya, nokuti vakauiswa mumba maJosefa, ndokuti: Tinopinzwa nekuda kwemari yakadzoka mumasaga edu pakutanga, kuti atijume, nekuzviwisira pamusoro pedu, agotitora kuva varanda, nembongoro dzedu.
  1310. Gen 43:19 Zvino vakaswedera kumurume mutariri weimba yaJosefa, ndokutaurirana naye pamusuwo weimba,
  1311. Gen 43:20 ndokuti: Haiwa, ishe wangu, zvirokwazvo takaburuka pakutanga kuzotenga kudya;
  1312. Gen 43:21 zvino zvakaitika patakasvika paimba yevaeni ndokuzarura masaga edu, kuti tarira, mari yemurume umwe neumwe iri pamuromo wesaga rake, mari yedu neuremu hwayo; zvino tadzoka nayo muruoko rwedu.
  1313. Gen 43:22 Neimwe mari taburuka nayo mumaoko edu kuzotenga kudya; hatizivi kuti ndiani wakaisa mari yedu mumasaga edu.
  1314. Gen 43:23 Zvino wakati: Rugare kwamuri, musatya. Mwari wenyu naMwari wababa venyu wakakupai fuma mumasaga enyu; mari yenyu yakauya kwandiri. Akabudisira Simioni kwavari.
  1315. Gen 43:24 Zvino murume wakaisa varume avo muimba yaJosefa, ndokuvapa mvura, zvino vakagezesa tsoka dzavo; akapawo mbongoro dzavo kudya.
  1316. Gen 43:25 Zvino vakagadzira chipo kusvika kuuya kwaJosefa pamasikati, nokuti vaiva vanzwa kuti vachadya chingwa ipapo.
  1317. Gen 43:26 Josefa wakati asvika kumba, ivo ndokumuvigira chipo chaiva chiri muruoko rwavo mumba, ndokumukotamira pasi.
  1318. Gen 43:27 Zvino wakavabvunza mufaro, ndokuti: Baba venyu vakafara here, uya mutana wamakareva? Vachiri vapenyu here?
  1319. Gen 43:28 Zvino vakati: Muranda wenyu baba vedu vakafara, vachiri vapenyu. Zvino vakakotama ndokunamata.
  1320. Gen 43:29 Zvino iye wakasimudza meso ake, ndokuona munin’ina wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake, ndokuti: Ndiye here munin’ina wenyu mudiki, wamakataura nezvake kwandiri? Ndokuti: Mwari ngaave nenyasha newe, mwanakomana wangu.
  1321. Gen 43:30 Zvino Josefa wakakurumidza, nokuti ura hwake hwakapisira munin’ina wake, akatsvaka paangachema; ndokupinda muimba yemukati, ndokuchemamo.
  1322. Gen 43:31 Zvino wakagezesa chiso chake, ndokubuda, ndokuzvidzora ndokuti: Isai chingwa.
  1323. Gen 43:32 Zvino vakamuisira ari oga, naivo vari voga, nevaEgipita vaiva vachidya naye vari voga, nokuti vaEgipita havagoni kudya chingwa nevaHebheru; nokuti ichi chinyangadzo kuvaEgipita.
  1324. Gen 43:33 Zvino vakagara pamberi pake, wedangwe zvichienderana neudangwe hwake, nemudikisa zvichienderana neudiki hwake; zvino varume vakashamiswa umwe kune umwe.
  1325. Gen 43:34 Zvino wakavagovera pane zvaiva zviri pamberi pake; asi mugove waBhenjamini wakapamhidzirwa kashanu pamigove yavo vose; zvino vakanwa, ndokunwa kwazvo naye.
  1326. Gen 44:1 Zvino wakaraira mutariri weimba yake, achiti: Zadza masaga evarume nekudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yemurume umwe neumwe pamuromo wesaga rake.
  1327. Gen 44:2 Nemukombe wangu, mukombe wesirivha, uise pamuromo wesaga remudikisa, nemari yake yezviyo. Iye ndokuita zvichienderana neshoko raJosefa raaiva ataura.
  1328. Gen 44:3 Mangwanani kwaedza varume vakaendeswa, ivo nembongoro dzavo.
  1329. Gen 44:4 Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa ndokuti kumutariri weimba yake: Simuka, dzingirira shure varume; zvino kana wavabata, uti kwavari: Sei matsindika?
  1330. Gen 44:5 Hausi iwo ishe wangu waanonwira, newaanoshopera nawo kwazvo here? Zvamaita, maita zvakaipa.
  1331. Gen 44:6 Zvino wakavabata, ndokutaura kwavari mashoko iwawa.
  1332. Gen 44:7 Zvino vakati kwaari: Ishe wangu anotaurirei mashoko akadai? Ngazvisadaro! Kuti varanda venyu vaite chinhu chakadaro.
  1333. Gen 44:8 Tarirai, mari yatakawana pamuromo wemasaga edu takadzosa kwamuri kubva kunyika yeKenani; taigoba sei kubva mumba mashe wako sirivha kana goridhe?
  1334. Gen 44:9 Ani nani wevaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesuwo tichava varanda vashe wangu.
  1335. Gen 44:10 Iye ndokuti: Ikozvinowo, semashoko enyu, ngazvive saizvozvo; iye anowanikwa anawo, achava nhapwa yangu; asi imwi muchava vasina mhosva.
  1336. Gen 44:11 Zvino vakakurumidza umwe neumwe kuburusira saga rake pasi, umwe neumwe ndokuzarura saga rake.
  1337. Gen 44:12 Iye ndokutsvaka, akatanga kumukurusa, ndokuguma kumudikisa; mukombe ndokuwanikwa musaga raBhenjamini.
  1338. Gen 44:13 Zvino vakabvarura nguvo dzavo, umwe neumwe ndokutakudza mbongoro yake, ndokudzokera kuguta.
  1339. Gen 44:14 Zvino Judha nevana vababa vake vakasvika kuimba yaJosefa, nokuti iye waiva achirimo, zvino vakawira pasi pamberi pake.
  1340. Gen 44:15 Zvino Josefa wakati kwavari: Chiitoi ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu wakaita seni zvirokwazvo anoshopera here?
  1341. Gen 44:16 Judha ndokuti: Tichatii kuna ishe wangu? Tichataurei? Kana tichazvichenesa sei? Mwari wakawana kutadza kwevaranda venyu; tarirai tiri varanda kuna ishe wangu, zvose isu naiye muruoko rwake makawanikwa mukombe.
  1342. Gen 44:17 Iye ndokuti: Ngazvive kure neni kuita izvi; murume muruoko rwake mawanikwa mukombe ndiye achava nhapwa yangu; asi imwi, kwirai nerugare kuna baba venyu.
  1343. Gen 44:18 Judha ndokuswedera kwaari, ndokuti: Haiwa, ishe wangu! Regai henyu muranda wenyu ataure shoko munzeve dzashe wangu, uye kutsamwa kwenyu ngakurege kupfutira muranda wenyu, nokuti makaitawo saFarao.
  1344. Gen 44:19 Ishe wangu wakabvunza varanda vake, achiti: Muna baba here, kana munin’ina?
  1345. Gen 44:20 Zvino takati kuna ishe wangu: Tina baba, mutana, nemwana weutana hwavo, mudiki; uye mukoma wake wakafa, zvino iye wasara oga kuna mai vake, uye baba vake vanomuda.
  1346. Gen 44:21 Zvino makati kuvaranda venyu: Burukai naye kwandiri, kuti ndiise ziso rangu paari.
  1347. Gen 44:22 Zvino takati kuna ishe wangu: Mukomana haagoni kusiya baba vake; kana akasiya baba vake, ivo vachafa.
  1348. Gen 44:23 Zvino makati kuvaranda venyu: Kunze kwekuti munin’ina wenyu mudikisa aburuka nemwi, hamuchaonizve chiso changu.
  1349. Gen 44:24 Zvino zvakaitika patakakwira kumuranda wenyu, baba vangu, kuti takavaudza mashoko ashe wangu.
  1350. Gen 44:25 Baba vedu ndokuti: Endaizve, mutitengere kudya kushoma.
  1351. Gen 44:26 Isu ndokuti: Hatigoni kuburuka; kana munin’ina wedu mudiki anesu ipapo tichaburuka; nokuti hatigoni kuona chiso chemurume uyu, kana munin’ina wedu mudiki tisinaye.
  1352. Gen 44:27 Uye muranda wenyu, baba vangu vakati kwatiri: Imwi munoziva kuti mukadzi wangu wakandiberekera vaviri;
  1353. Gen 44:28 zvino umwe wakabuda kubva kwandiri, ndikati: Zvirokwazvo wakabvamburwa kwazvo; uye handina kuzomuona kusvika ikozvino.
  1354. Gen 44:29 Zvino kana mukatora uyuwo kubva pachiso changu, chakaipa chikasangana naye, muchaburusira vhudzi rangu jena kuguva nekushungurudzika.
  1355. Gen 44:30 Zvino ikozvino, kana ndikasvika kumuranda wenyu, baba vangu, nemukomana asinesu, mweya wavo zvawakasunganidzwa nemweya wake,
  1356. Gen 44:31 zvichaitika paanoona kuti mukomana haapo, kuti achafa; zvino varanda venyu vachaburusira vhudzi jena remuranda wenyu, baba vedu, kuguva nekushungurudzika.
  1357. Gen 44:32 Nokuti muranda wenyu wakaita chibatiso chemukomana kuna baba vangu, achiti: Kana ndikasauya naye kwamuri, ipapo ndichava nemhosva kuna baba vangu mazuva ose.
  1358. Gen 44:33 Ikozvinowo, regai henyu muranda wenyu agare ari nhapwa kuna ishe wangu pachinzvimbo chemukomana, asi mukomana akwire nevana vababa vake.
  1359. Gen 44:34 Nokuti ndingakwira sei kuna baba vangu, nemukomana asineni? Zvimwe ndione dambudziko richawana baba vangu.
  1360. Gen 45:1 Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pevose vaiva vamire naye, ndokudanidzira, [achiti]: Budisai vanhu vose kubva kwandiri. Zvino kwaiva kusina munhu wakamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
  1361. Gen 45:2 Zvino wakabudisa inzwi rake pakuchema, vaEgipita ndokunzwa, neimba yaFarao yakanzwa.
  1362. Gen 45:3 Josefa ndokuti kuvana vababa vake: Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu here? Zvino vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakavhiringidzika pamberi pake.
  1363. Gen 45:4 Josefa ndokuti kuvana vababa vake: Swederai henyu kwandiri. Zvino vakaswedera. Iye ndokuti: Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa kuEgipita.
  1364. Gen 45:5 Zvino ikozvino musarwadziwa, kana kutsamwa pameso enyu, kuti makanditengesa kuno; nokuti Mwari wakandituma pamberi penyu kuitira chengetedzo yeupenyu.
  1365. Gen 45:6 Nokuti makore awa maviri nzara iri pakati penyika ino; uye kuchine makore mashanu kusingarimwi kana kukohwewa maari.
  1366. Gen 45:7 Zvino Mwari wakandituma pamberi penyu kukuisirai musiiwa panyika, nekuchengetedza upenyu hwenyu nekupukunyuka kukuru.
  1367. Gen 45:8 Zvino ikozvino imwi hamuna kundituma pano, asi Mwari; iye wakandigadza kuva baba kuna Farao nekuva ishe kuimba yake yose nemutongi munyika yose yeEgipita.
  1368. Gen 45:9 Kurumidzai, zvino kwirai kuna baba vangu, mugoti kwavari: Anoreva seizvi mwanakomana wenyu Josefa: Mwari wakandiita ishe kuEgipita yose; burukirai kwandiri musanonoka;
  1369. Gen 45:10 zvino muchagara panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, nevana venyu, nevana vevana venyu, nezvipfuwo zvenyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo.
  1370. Gen 45:11 Zvino ndichakufundaipo, nokuti kuchine makore mashanu enzara, zvimwe muve varombo, imwi, neveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.
  1371. Gen 45:12 Zvino tarirai, meso enyu anoona, nemeso emunin’ina wangu Bhenjamini, kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
  1372. Gen 45:13 Zvino udzai baba vangu kukudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona, uye kurumidzai muburusire baba vangu kuno.
  1373. Gen 45:14 Zvino wakawira pamutsipa waBhenjamini munin’ina wake, ndokuchema; naBhenjamini wakachema pamutsipa wake.
  1374. Gen 45:15 Zvino wakatsvoda madzikoma ake ose, ndokuchema pamusoro pavo. Uye shure kweizvozvo madzikoma ake akataura naye.
  1375. Gen 45:16 Zvino inzwi rakanzwikwa mumba maFarao, richiti: Vana vababa vaJosefa vasvika; zvino zvakava zvakanaka pameso aFarao nepameso evaranda vake.
  1376. Gen 45:17 Farao ndokuti kuna Josefa: Iti kuvana vababa vako: Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, muende, mupinde kunyika yeKenani;
  1377. Gen 45:18 mugotora baba venyu nemhuri dzenyu, mugouya kwandiri; zvino ndichakupai zvakanaka zvenyika yeEgipita, mugodya zvakakora zvenyika.
  1378. Gen 45:19 Zvino iwe unorairwa, itai chinhu ichi: Zvitorerei kubva munyika yeEgipita ngoro dzevanana venyu nedzevakadzi venyu, mutakure baba venyu, muuye.
  1379. Gen 45:20 Uye meso enyu asanzwira nhumbi dzenyu, nokuti zvakanaka zvenyika yose yeEgipita ndezvenyu.
  1380. Gen 45:21 Zvino vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa ndokuvapa dzingoro, maererano nemurairo waFarao, ndokuvapa mbuva yerwendo.
  1381. Gen 45:22 Kune vose wakapa umwe neumwe nguvo dzekuchinja, asi kuna Bhenjamini wakapa makobiri esirivha mazana matatu nenguvo shanu dzekuchinja.
  1382. Gen 45:23 Nekuna baba vake wakatumira seizvi: Mbongoro gumi dzakatakura kubva pane zvakanaka zveEgipita, nemakadzi embongoro gumi akatakura zviyo nechingwa nekudya zvababa vake panzira.
  1383. Gen 45:24 Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, ivo ndokuenda; iye ndokuti kwavari: Musakakavadzana munzira.
  1384. Gen 45:25 Zvino vakakwira kubva muEgipita, ndokusvika munyika yeKenani, kuna Jakove baba vavo.
  1385. Gen 45:26 Zvino vakamuudza vachiti: Josefa achiri mupenyu; uye naiye mutungamiriri munyika yose yeEgipita. Moyo wavo ndokutonhora, nokuti havana kuvatenda.
  1386. Gen 45:27 Zvino vakavaudza mashoko ose aJosefa aaiva ataura kwavari. Zvino vakati vaona ngoro Josefa dzaaiva atumira kumutakura, mweya waJakove baba vavo wakavandudzika.
  1387. Gen 45:28 Israeri ndokuti: Zvakwana! Josefa mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.
  1388. Gen 46:1 Zvino Israeri wakabva nezvose zvaaiva anazvo, ndokusvika kuBheeri-Shebha, ndokubaira zvibairo kuna Mwari wababa vake Isaka.
  1389. Gen 46:2 Mwari ndokutaura kuna Israeri muzviratidzo zveusiku, ndokuti: Jakove! Jakove! Iye ndokuti: Ndiri pano.
  1390. Gen 46:3 Iye ndokuti: Ndiri Mwari, Mwari wababa vako; usatya kuburukira kuEgipita; nokuti ndichakugadza kuva rudzi rukuru ikoko;
  1391. Gen 46:4 ini ndichaburukira newe kuEgipita, uye iniwo zvirokwazvo ndichakukwidzazve; uye Josefa achaisa ruoko rwake pameso ako.
  1392. Gen 46:5 Zvino Jakove wakasimuka kubva Bheeri-Shebha; vanakomana vaIsraeri ndokutakura Jakove baba vavo, nevanana vavo, nevakadzi vavo, mungoro Farao dzaaiva atumira kumutakura.
  1393. Gen 46:6 Zvino vakatora zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo dzavaiva vawana munyika yeKenani, ndokusvika kuEgipita: Jakove, nechizvarwa chake chose naye;
  1394. Gen 46:7 vanakomana vake, nevana vevanakomana vake naye, vakunda vake, nevakunda vevanakomana vake, neicho chizvarwa chake chose, wakauya navo kuEgipita.
  1395. Gen 46:8 Uye awa mazita evana vaIsraeri vakasvika kuEgipita: Jakove nevanakomana vake: Rubheni, dangwe raJakove.
  1396. Gen 46:9 Nevanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi.
  1397. Gen 46:10 Nevanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana wemukadzi muKenani.
  1398. Gen 46:11 Nevanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati, naMerari.
  1399. Gen 46:12 Nevanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera. Asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani. Uye vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi naHamuri.
  1400. Gen 46:13 Nevanakomana vaIsasikari: Tora, naPuvha, naJobho, naShimironi.
  1401. Gen 46:14 Nevanakomana vaZebhuruni: Seredhi, naEroni, naJahareeri.
  1402. Gen 46:15 Ava vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove muPadhani-Aramu, nemukunda wake Dhina. Mweya yeupenyu yose yevanakomana vake nevakunda vake yaiva makumi matatu nemitatu.
  1403. Gen 46:16 Nevanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, Shuni, naEzibhoni, Eri, naArodhi, naAreri.
  1404. Gen 46:17 Nevanakomana vaAsheri: Jimina, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nevanakomana vaBheria: Hebheri, naMarikieri.
  1405. Gen 46:18 Ava vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa kuna Rea mukunda wake, ndokuberekera ava Jakove: Mweya yeupenyu gumi nemitanhatu.
  1406. Gen 46:19 Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakove: Josefa naBhenjamini.
  1407. Gen 46:20 Zvino kwakaberekerwa kuna Josefa munyika yeEgipita Manase naEfuremu, Asenati mukunda waPotifera mupristi weOni vaakamuberekera.
  1408. Gen 46:21 Nevanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri, Gera, naNaamani, Ehi, naRoshi, Mupimi, naHupimi, naAridhi.
  1409. Gen 46:22 Ava vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; mweya yeupenyu yose, gumi nemina.
  1410. Gen 46:23 Nevanakomana vaDhani: Hushimi.
  1411. Gen 46:24 Nevanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
  1412. Gen 46:25 Ava vanakomana vaBhiriha, Rabhani vaakapa kuna Rakeri mukunda wake, ndokuberekera Jakove ava; mweya yeupenyu yose minomwe.
  1413. Gen 46:26 Mweya yeupenyu yose yakasvika naJakove kuEgipita, ichibuda pachiuno chake, pasina vakadzi vevanakomana vaJakove, mweya yeupenyu yose makumi matanhatu nemitanhatu.
  1414. Gen 46:27 Nevanakomana vaJosefa vaakaberekerwa muEgipita mweya miviri; mweya yeupenyu yose yeimba yaJakove yakauya muEgipita, makumi manomwe.
  1415. Gen 46:28 Zvino wakatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amurairire kuenda kuGosheni; zvino vakasvika munyika yeGosheni.
  1416. Gen 46:29 Josefa ndokusunga ngoro yake, ndokukwira kunosangana naIsraeri baba vake kuGosheni; ndokuzviratidza kwavari, ndokuwira pamutsipa wavo, ndokuchema pamutsipa wavo nguva huru.
  1417. Gen 46:30 Israeri ndokuti kuna Josefa: Ikozvino ngandife, zvandaona chiso chako, nokuti uchiri mupenyu.
  1418. Gen 46:31 Zvino Josefa wakati kuvana vababa vake nekuimba yababa vake: Ndichakwira ndigozivisa Farao, uye nditi kwaari: Vana vababa vangu, neimba yababa vangu, vaiva vari munyika yeKenani vasvika kwandiri.
  1419. Gen 46:32 Zvino varume vafudzi vemakwai, nokuti vaiva varume vezvipfuwo uye vauya nemakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo.
  1420. Gen 46:33 Zvino zvichaitika Farao paachakudanai agoti: Basa renyu chii?
  1421. Gen 46:34 Kuti muchati: Varanda venyu varume vekupfuwa kubva paudiki hwedu kusvika ikozvino, tose isu nemadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti mufudzi umwe neumwe chinyangadzo kuvaEgipita.
  1422. Gen 47:1 Zvino Josefa wakauya ndokuudza Farao, ndokuti: Baba vangu nevana vababa vangu nemakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo vasvika kubva kunyika yeKenani; zvino tarirai, vari munyika yeGosheni.
  1423. Gen 47:2 Zvino pavana vababa vake vose wakatora varume vashanu ndokuvaisa pamberi paFarao.
  1424. Gen 47:3 Farao ndokuti kuvana vababa vaiye Josefa: Basa renyu chii? Ivo ndokuti kuna Farao: Varanda venyu vafudzi vemakwai, tose isu nemadzibaba edu.
  1425. Gen 47:4 Vakatizve kuna Farao: Tapinda kugara sevatorwa munyika; nokuti hakuna mafuro emapoka varanda venyu avanawo, nokuti nzara ihuru munyika yeKenani; zvino ikozvino regai henyu varanda venyu vagare munyika yeGosheni.
  1426. Gen 47:5 Farao ndokutaura kuna Josefa, achiti: Baba vako nevana vababa vako vauya kwauri.
  1427. Gen 47:6 Nyika yeEgipita iri pamberi pako; garisa baba vako nevana vababa vako pakanakisisa penyika; ngavagare munyika yeGosheni; uye kana uchiziva varume nyanzvi pakati pavo, zvino uvagadze vatongi vezvipfuwo pamusoro pezvandinazvo.
  1428. Gen 47:7 Josefa ndokupinda naJakove baba vake, ndokuvamisa pamberi paFarao; Jakove ndokuropafadza Farao.
  1429. Gen 47:8 Farao ndokuti kuna Jakove: Mangani mazuva emakore eupenyu hwenyu?
  1430. Gen 47:9 Jakove ndokuti kuna Farao: Mazuva emakore ekutama-tama kwangu makore zana nemakumi matatu; mazuva emakore eupenyu hwangu aiva mashoma uye akaipa, uye haana kusvika pamazuva emakore eupenyu hwemadzibaba angu pamazuva ekutama-tama kwavo.
  1431. Gen 47:10 Jakove ndokuropafadza Farao, ndokubuda kubva pamberi paFarao.
  1432. Gen 47:11 Zvino Josefa wakagarisa baba vake nevana vababa vake, ndokuvapa pavo munyika yeEgipita, pakanakisisa penyika, panyika yeRamesesi, Farao sezvaaiva araira.
  1433. Gen 47:12 Josefa ndokuriritira baba vake nevana vababa vake neimba yababa vake yose nechingwa, zvichienderana nemuromo wevanana.
  1434. Gen 47:13 Zvino kwaiva kusina kudya panyika yose, nokuti nzara yaiva iri huru kwazvo, nyika yeEgipita nenyika yeKenani ndokuziya nekuda kwenzara.
  1435. Gen 47:14 Josefa ndokuunganidza mari yose yakawanikwa munyika yeEgipita, nemunyika yeKenani, yezviyo zvavakatenga; Josefa ndokuuya nemari mumba maFarao.
  1436. Gen 47:15 Mari yakati yapera munyika yeEgipita nemunyika yeKenani, vaEgipita vose ndokuuya kuna Josefa, vachiti: Tipei kudya, nokuti tinofirei pamberi penyu? Nokuti mari yapera.
  1437. Gen 47:16 Josefa ndokuti: Ipai zvipfuwo zvenyu, uye ndichakupai pazvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.
  1438. Gen 47:17 Zvino vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa; Josefa ndokuvapa kudya pamabhiza nepazvipfuwo zvemakwai nepazvipfuwo zvemombe nepambongoro; ndokuvapodza nekudya pazvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
  1439. Gen 47:18 Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari gore rechipiri, ndokuti kwaari: Hatingavanziri ishe wangu kuti sezvo mari yedu yapera, nezvipfuwo zvemhuka zvava zvashe wangu, hakuna chakasara pachiso chashe wangu asi miviri yedu neminda yedu.
  1440. Gen 47:19 Tinofirei pamberi pemeso enyu, zvose isu neminda yedu? Titengei nekudya isu neminda yedu, zvino isu neminda yedu tichava varanda kuna Farao; tipeiwo mbeu kuti tirarame uye tirege kufa, kuti nyika isava dongo.
  1441. Gen 47:20 Zvino Josefa wakatengera Farao nyika yose yeEgipita, nokuti vaEgipita vakatengesa umwe neumwe munda wake, nokuti nzara yakasimba pamusoro pavo; nyika ndokuva yaFarao.
  1442. Gen 47:21 Zvino kana vari vanhu, wakavatamisira kumaguta, kubva kumugumo wemiganhu yeEgipita kusvika kumugumo wayo.
  1443. Gen 47:22 Nyika yevapristi yoga haana kuitenga, nokuti vapristi vaiva vane mugove wakatarwa kubva kuna Farao; uye vaidya mugove wavo wakatarwa Farao waaivapa. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo.
  1444. Gen 47:23 Zvino Josefa wakati kuvanhu: Tarirai, ndatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi; tarirai mbeu yenyu, uye muchadzvara pamunda.
  1445. Gen 47:24 Zvino zvichaitika pagoho, kuti muchapa cheshanu kuna Farao, uye zvikamu zvina zvichava zvenyu ive mbeu yemunda uye chekudya kwenyu nekweveimba yenyu nechekudya kwevanana venyu.
  1446. Gen 47:25 Ivo ndokuti: Maponesa upenyu hwedu; ngatiwane nyasha pameso ashe wangu, uye tichava varanda vaFarao.
  1447. Gen 47:26 Josefa ndokuzvimisa kuva murairo pamusoro penyika yose yeEgipita kusvika nhasi: Cheshanu ndechaFarao; kunze kwenyika yevapristi yoga haina kuva yaFarao.
  1448. Gen 47:27 Zvino Israeri wakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni; zvino vakaiita yavo imomo, ndokubereka ndokuwanda zvikurusa.
  1449. Gen 47:28 Jakove ndokugara panyika yeEgipita makore gumi nemanomwe; uye mazuva aJakove, makore eupenyu hwake, aiva makore zana nemakumi mana nemanomwe.
  1450. Gen 47:29 Zvino nguva yakaswedera kuti Israeri afe; zvino wakadana mwanakomana wake Josefa, ndokuti kwaari: Kana ikozvino ndawana nyasha pameso ako, isa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, ugondiitira tsitsi nechokwadi; rega hako kundiviga paEgipita.
  1451. Gen 47:30 Asi kuti ndirare nemadzibaba angu, uchanditakurawo undibvise paEgipita, ugondiviga muguva rawo. Iye ndokuti: Ini ndichaita seshoko renyu.
  1452. Gen 47:31 Iye ndokuti: Ndipikire; iye ndokuvapikira. Israeri ndokukotamira pamusoro pemusoro wemubhedha.
  1453. Gen 48:1 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti kwakanzi kuna Josefa: Tarira, baba vako vanorwara. Iye ndokutora pamwe naye vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu.
  1454. Gen 48:2 Zvino kwakaudzwa Jakove, ndokunzi: Tarira, mwanakomana wako, Josefa, wauya kwauri. Israeri ndokuzvisimbisa, ndokugara pamubhedha.
  1455. Gen 48:3 Zvino Jakove wakati kuna Josefa: Mwari Wemasimbaose wakaonekwa kwandiri paRuzi, munyika yeKenani, ndokundiropafadza,
  1456. Gen 48:4 ndokuti kwandiri: Tarira, ndichakuberekesa, nekukuwanza, uye ndichakuita chaunga chevanhu; uye ndichapa nyika ino kuchizvarwa chako chinokutevera ive fuma nekusingaperi.
  1457. Gen 48:5 Zvino ikozvino vanakomana vako vaviri, Efuremu naManase vawakaberekerwa panyika yeEgipita, ndisati ndasvika kwauri kuEgipita, ndevangu; saRubheni naSimioni, vachava vangu.
  1458. Gen 48:6 Asi chizvarwa chako, chawakabereka shure kwavo, chichava chako; chichadanwa nezita remadzikoma avo panhaka yavo.
  1459. Gen 48:7 Asi ini, pandakabva kuPadhani, Rakeri wakafira pandiri panyika yeKenani munzira pachine chinhambwe chidiki kusvika kuEfurati, zvino ndakamuvigapo panzira yeEfurati, ndiro Bheterehemu.
  1460. Gen 48:8 Israeri ndokuona vanakomana vaJosefa, ndokuti: Ndivana ani ava?
  1461. Gen 48:9 Josefa ndokuti kuna baba vake: Ndivo vanakomana vangu Mwari vaakandipa muno. Ivo ndokuti: Douya navo kwandiri ndigovaropafadza.
  1462. Gen 48:10 Zvino meso aIsraeri aiva orema nekuda kwezera, asingagoni kuona; ndokuvaswededza kwaari; iye ndokuvatsvoda, ndokuvambundikira.
  1463. Gen 48:11 Israeri ndokuti kuna Josefa: Handina kufunga kuona chiso chako, zvino tarira, Mwari wandiratidzawo chizvarwa chako.
  1464. Gen 48:12 Josefa akavabudisa kubva pamabvi ake, iye ndokukotama chiso chake chiri pasi.
  1465. Gen 48:13 Josefa ndokuvatora vari vaviri, Efuremu muruoko rwake rwerudyi kuruoko rweruboshwe rwaIsraeri, naManase muruoko rwake rweruboshwe kurudyi rwaIsraeri, ndokuvaswededza paari.
  1466. Gen 48:14 Israeri ndokutandavadza ruoko rwake rwerudyi ndokuisa pamusoro waEfuremu, aiva mudiki, neruoko rwake rweruboshwe pamusoro waManase, akaruramisa maoko ake achiziva, nokuti Manase waiva wedangwe.
  1467. Gen 48:15 Zvino wakaropafadza Josefa, ndokuti: Mwari iye madzibaba angu Abhurahama naIsaka wavakafamba pamberi pake, Mwari wakandifudza kubva pakuvapo kwangu kusvika zuva ranhasi;
  1468. Gen 48:16 mutumwa wakandidzikinura pazvakaipa zvose, aropafadze vakomana ava; uye zita rangu ngaritumidzwe kwavari, nezita remadzibaba angu, Abhurahama naIsaka, uye vawande vave vazhinji pakati penyika.
  1469. Gen 48:17 Zvino Josefa wakati aona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rwerudyi pamusoro waEfuremu, zvakava zvakaipa pameso ake; iye ndokubata ruoko rwababa vake, kurubvisa pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.
  1470. Gen 48:18 Josefa ndokuti kuna baba vake: Kwete saizvozvo, baba vangu, nokuti uyu idangwe, isai ruoko rwenyu rwerudyi pamusoro wake.
  1471. Gen 48:19 Asi baba vake vakaramba, ndokuti: Ndinoziva, mwanakomana wangu, ndinoziva; iyewo achava rudzi, naiyewo achava mukuru; asi zvakadaro munin’ina wake achava mukuru kwaari, uye chizvarwa chake chichava kuzara kwendudzi.
  1472. Gen 48:20 Zvino wakavaropafadza nezuva iro achiti: Mauri Israeri acharopafadza, achiti: Mwari ngaakuite saEfuremu uye saManase. Zvino wakaisa Efuremu mberi kwaManase.
  1473. Gen 48:21 Zvino Israeri wakati kuna Josefa: Tarira, ndofa; asi Mwari achava nemwi, ndokukudzosai kunyika yemadzibaba enyu.
  1474. Gen 48:22 Uye ini ndakupa mugove umwe kupfuura vana vababa vako, wandakatora kubva muruoko rwevaAmori nemunondo wangu uye neuta hwangu.
  1475. Gen 49:1 Zvino Jakove wakadana vanakomana vake, ndokuti: Unganai, kuti ndikuudzei zvichakuwirai mukupera kwemazuva.
  1476. Gen 49:2 Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakove, muteerere kuna Israeri baba venyu.
  1477. Gen 49:3 Rubheni, uri dangwe rangu, simba rangu, nekutanga kwesimba rangu; kukwana kwerukudzo, nekukwana kwesimba.
  1478. Gen 49:4 Unotutuma semvura, haungavi wakakwana; nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako; panguva iyoyo ndokusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.
  1479. Gen 49:5 Simioni naRevhi vana vamai vamwe; minondo yavo inhumbi dzekupamba.
  1480. Gen 49:6 Mweya weupenyu wangu ngaurege kupinda pakurangana kwavo. Rukudzo rwangu ngarwurege kusanganiswa neungano yavo. Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya munhu, uye nekuzvifadza vakagura nzombe marunda.
  1481. Gen 49:7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakasimba; nehasha dzavo, nokuti dzaiva dzine utsinye; ndichavaparadzanisa muna Jakove, nekuvaparadzira muna Israeri.
  1482. Gen 49:8 Judha, iwe, vana vababa vako vachakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamutsipa wevavengi vako; vanakomana vababa vako vachakukotamira.
  1483. Gen 49:9 Judha imbwanana yeshumba; iwe wakwira paudzimba, mwanakomana wangu. Wakakotama, wakazvambarara seshumba, uye seshumbakadzi; ndiani achamusimudza?
  1484. Gen 49:10 Tsvimbo yeushe haingabvi kuna Judha, nemupi wemurairo kubva pakati petsoka dzake, kusvika Shiro asvika; uye ndudzi dzichamuteerera iye.
  1485. Gen 49:11 Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, nemwana wembongorohadzi yake pamuzambiringa wakanaka. Wakasuka nguvo dzake muwaini, nechekupfeka chake muropa remazambiringa.
  1486. Gen 49:12 Meso ake achatsvuka newaini, uye meno ake achachena nemukaka.
  1487. Gen 49:13 Zebhuruni achagara pamahombekombe egungwa; uye achava panomira zvikepe; nemuganhu wake uchasvika paSidhoni.
  1488. Gen 49:14 Isasikari imbongoro ine simba, inorara pasi pakati pemitoro miviri.
  1489. Gen 49:15 Zvino wakaona zororo kuti rakanaka, nenyika kuti inofadza, akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava muranda wechibharo.
  1490. Gen 49:16 Dhani achatonga vanhu vake, serumwe rwemarudzi aIsraeri.
  1491. Gen 49:17 Dhani achava nyoka panzira, mvumbi mugwara, inoruma zvitsitsinho zvebhiza, kuti mutasvi waro awire shure.
  1492. Gen 49:18 Ndakamirira ruponeso rwenyu, Jehovha.
  1493. Gen 49:19 Gadhi, hondo ichamuvamba, asi iye achavamba pazvitsitsinho.
  1494. Gen 49:20 Kubva kuna Asheri, kudya kwake kuchakora; iye achauya nezvinonaka zvemadzishe.
  1495. Gen 49:21 Nafutari inondo hadzi yakasunungurwa; anobudisa mashoko akanaka.
  1496. Gen 49:22 Josefa idavi rinobereka, idavi rinobereka patsime; matavi anokwira pamusoro pemadziro.
  1497. Gen 49:23 Vanopfura neuta vakamubata zvinorwadza, vakamupfura, vakamuvenga.
  1498. Gen 49:24 Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, nezvanza zvemaoko ake zvakasimbiswa nemaoko eWemasimba waJakove; anobva ikoko mufudzi, ibwe raIsraeri;
  1499. Gen 49:25 naMwari wababa vako achakubatsira, uye neWemasimbaose achakuropafadza nemaropafadzo ematenga anobva kumusoro, maropafadzo ekudzika kurere pasi, maropafadzo emazamu neechizvaro.
  1500. Gen 49:26 Maropafadzo ababa vako anopfuura maropafadzo emateteguru angu, kusvika pamiganhu pemakomo asingaperi; achava pamusoro waJosefa, nepanhongonya yewakaparadzaniswa kuvana vababa vake.
  1501. Gen 49:27 Bhenjamini ibere rinobvamburanya; mangwanani achadya chakajimbiwa, uye madekwani achagovanisa chakapambiwa.
  1502. Gen 49:28 Ava vose ndiwo marudzi ane gumi nemaviri aIsraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, ndokuvaropafadza; vakaropafadza umwe neumwe nekuropafadzwa kwake.
  1503. Gen 49:29 Zvino wakavaraira ndokuti kwavari: Ini ndobva ndounganidzwa kuvanhu vangu; munondiviga kune madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,
  1504. Gen 49:30 mubako riri mumunda weMakipera, riri pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya Abhurahama raakatenga pamwe nemunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake zvepekuvigira.
  1505. Gen 49:31 Ndipo pavakaviga Abhurahama naSara mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea.
  1506. Gen 49:32 Munda uya nebako riri mauri, zvakatengwa kuvana vaHeti.
  1507. Gen 49:33 Zvino Jakove wakati apedza kuraira vanakomana vake, akapeta tsoka dzake pamubhedha; mweya wake ukabuda; akaunganidzwa kuvanhu vake.
  1508. Gen 50:1 Zvino Josefa wakawira pamusoro pechiso chababa vake, ndokuchema pamusoro pavo, ndokumutsvoda.
  1509. Gen 50:2 Josefa ndokuraira varanda vake n’anga kuomesa baba vake; n’anga ndokuomesa Israeri.
  1510. Gen 50:3 Zvino mazuva makumi mana ndokuzadziswa kwaari, nokuti saizvozvo aizadziswa mazuva eavo vaiomeswa. NevaEgipita vakamuchema mazuva makumi manomwe.
  1511. Gen 50:4 Zvino mazuva ekuchema kwake akapfuura, Josefa akataura kuimba yaFarao, achiti: Ikozvino kana ndawana nyasha pameso enyu, taurai henyu munzeve dzaFarao, muchiti:
  1512. Gen 50:5 Baba vangu vakandipikisa, vachiti: Tarirai, ndofa; muguva rangu randakazvicherera munyika yeKenani ndimo mauchandiviga. Naizvozvo ikozvino, regai ndikwire hangu, ndigonoviga baba vangu, ndigodzoka.
  1513. Gen 50:6 Farao ndokuti: Kwira, ugonoviga baba vako, sezvavakakupikisa.
  1514. Gen 50:7 Josefa ndokukwira kunoviga baba vake, nevaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, nevakuru vose venyika yeEgipita,
  1515. Gen 50:8 neimba yose yaJosefa, nevana vababa vake, neimba yababa vake; vana vavo voga nemakwai avo nemombe dzavo vakazvisiya munyika yeGosheni.
  1516. Gen 50:9 Zvino kwakakwira pamwe naye zvose ngoro nevatasvi vemabhiza; rikava boka guru-guru.
  1517. Gen 50:10 Zvino vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJoridhani, ndokumuchemapo nekuchema kukuru kunorwadza kwazvo; zvino wakaitira baba vake mariro mazuva manomwe.
  1518. Gen 50:11 Zvino vagari vepanyika iyo, vaKenani, vakaona mariro paburiro raAtadhi, vakati: Awa mariro anorwadza kuvaEgipita; naizvozvo zita raro rakanzi Abheri-Miziraimi, riri mhiri kwaJoridhani.
  1519. Gen 50:12 Zvino vanakomana vake vakamuitira saizvozvo sezvaaiva avaraira;
  1520. Gen 50:13 nokuti vanakomana vake vakamutakurira kunyika yeKenani, ndokumuviga mubako remunda weMakipera, riya Abhurahama raakatenga kuna Efuroni muHeti pamwe nemunda ive nzvimbo yake yekuviga, pakatarisana neMamure.
  1521. Gen 50:14 Zvino Josefa wakadzokera kuEgipita, iye nevana vababa vake, nevose vakakwira pamwe naye kunoviga baba vake, shure kwekunge aviga baba vake.
  1522. Gen 50:15 Zvino vana vababa vaJosefa vakaona kuti baba vavo vafa, vakati: Zvimwe Josefa achativenga, uye zvirokwazvo achatitsiva zvakaipa zvose zvatakaita kwaari.
  1523. Gen 50:16 Zvino vakapa murairo kuna Josefa, vachiti: Baba vako vakaraira vasati vafa, vachiti:
  1524. Gen 50:17 Muchataura seizvi kuna Josefa: Dokanganwira hako kudarika kwevana vababa vako, nechivi chavo, nokuti vakakuitira chakaipa; zvino ikozvino, dokanganwira kudarika kwevaranda vaMwari wababa vako. Josefa ndokuchema pavakataura kwaari.
  1525. Gen 50:18 Zvino vana vababa vake vakaendawo, ndokuwira pasi pamberi pake, ndokuti: Tarira, tiri varanda vako.
  1526. Gen 50:19 Asi Josefa wakati kwavari: Musatya, nokuti ndiri pachigaro chaMwari here?
  1527. Gen 50:20 Asi imwi, makandirongera zvakaipa; Mwari wakaronga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitike sezuva rino, kuchengetedza vanhu vazhinji vari vapenyu.
  1528. Gen 50:21 Naizvozvo ikozvino musatya; ini ndichakuriritirai, nevanana venyu. Zvino wakavanyaradza, ndokutaura navo nemoyo wakanaka.
  1529. Gen 50:22 Josefa ndokugara muEgipita, iye neimba yababa vake; Josefa ndokurarama makore zana negumi.
  1530. Gen 50:23 Josefa ndokuona vana vaEfuremu vezera rechitatu; nevana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.
  1531. Gen 50:24 Josefa ndokuti kuvana vababa vake: Ndofa, asi Mwari zvirokwazvo achakushanyirai, nekukukwidzisai munyika ino, muende kunyika yaakapikira kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove.
  1532. Gen 50:25 Josefa ndokupikisa vana vaIsraeri, achiti: Mwari achakushanyirai zvirokwazvo, uye muchakwidza mapfupa angu kubva pano.
  1533. Gen 50:26 Josefa ndokufa, ari mwanakomana wemakore zana negumi; vakamuomesa, ndokuiswa mubhokisi muEgipita
  1534. Exo 1:1 Zvino awa mazita evanakomana vaIsraeri vakasvika kuEgipita naJakove; vakasvika murume umwe neumwe neimba yake:
  1535. Exo 1:2 Rubheni, Simioni, Revhi, naJudha,
  1536. Exo 1:3 Isasikari, Zebhuruni, naBhenjamini,
  1537. Exo 1:4 Dhani, naNafutari, Gadhi, naAsheri.
  1538. Exo 1:5 Zvino mweya yeupenyu yose yakabuda muchiuno chaJakove yaiva mweya makumi manomwe; asi Josefa waiva atova muEgipita.
  1539. Exo 1:6 Zvino Josefa wakafa, nevana vababa vake vose, nezera iro rose.
  1540. Exo 1:7 Zvino vana vaIsraeri vakabereka ndokuwanda kwazvo, ndokupamhidzirwa, vakava nesimba kwazvo-kwazvo; nyika ndokuzadzwa navo.
  1541. Exo 1:8 Zvino kwakamuka mambo mutsva pamusoro peEgipita, waiva asingazivi Josefa.
  1542. Exo 1:9 Iye ndokuti kuvanhu vake: Tarirai, rudzi rwevana vaIsraeri rwakawanda, uye vakasimba kutipfuura.
  1543. Exo 1:10 Uyai, ngativangwarire, zvimwe vangawanda, ndokuitika kuti kana kukasanganikwa nehondo, naivo vangabatana nevavengi vedu ndokutirwisa, ndokukwira kubva munyika ino.
  1544. Exo 1:11 Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa kuvanetsa nemitoro yavo. Uye vakavakira Farao maguta ematura, Pitomi naRamesesi.
  1545. Exo 1:12 Asi pavaivanetsa, ndipo pavaiwanda uye ndipo pavaikura; zvino vakarwadziwa nekuda kwevana vaIsraeri.
  1546. Exo 1:13 Zvino vaEgipita vakabatisa vana vaIsraeri neutsinye,
  1547. Exo 1:14 ndokurwadzisa upenyu hwavo neutapwa hwakaoma, pamatope nepazvitina, nepabasa rose mumunda, basa ravo rose ravaivabatisa neutsinye.
  1548. Exo 1:15 Zvino mambo weEgipita wakataura nananyamukuta vakadzi vaHebheru, avo zita reumwe raiva Shifira, uye zita reumwe Pua;
  1549. Exo 1:16 ndokuti: Kana muchiponesa vakadzi vevaHebheru, pamunoona pachigaro chekuponera, kana ari mwanakomana, ipapo mumuuraye, asi kana ari mwanasikana, ipapo achararama.
  1550. Exo 1:17 Asi vana nyamukuta vakatya Mwari, uye vakasaita mambo weEgipita sezvaakavataurira, asi vakarega vanakomana vari vapenyu.
  1551. Exo 1:18 Zvino mambo weEgipita wakadana vana nyamukuta, ndokuti kwavari: Maitirei chinhu ichi, mukarega vakomana vari vapenyu?
  1552. Exo 1:19 Vana nyamukuta ndokuti kuna Farao: Nokuti vakadzi vevaHebheru havana kuita sevakadzi vevaEgipita, nokuti vane simba; uye vanopona nyamukuta asati asvika kwavari.
  1553. Exo 1:20 Naizvozvo Mwari wakaitira vana nyamukuta zvakanaka; vanhu ndokuwanda, uye vakava nesimba kwazvo.
  1554. Exo 1:21 Zvino zvakaitika nokuti vana nyamukuta vaitya Mwari, kuti wakavaitira misha.
  1555. Exo 1:22 Farao ndokuraira vanhu vake vose, achiti: Mwanakomana umwe neumwe anoberekwa mukandire murwizi, asi mwanasikana umwe neumwe murege ari mupenyu.
  1556. Exo 2:1 Zvino kwakaenda murume weimba yaRevhi ndokutora mukunda wekwaRevhi.
  1557. Exo 2:2 Mukadzi ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana. Zvino amuona kuti wakanaka wakamuvanza mwedzi mitatu.
  1558. Exo 2:3 Wakati asisagoni kumuvanza, wakamutorera tswanda yenhokwe, ndokuinama nebhitumini nenamo, ndokuisa mwana mairi, ndokuisa mutsanga pamahombekombe erwizi.
  1559. Exo 2:4 Zvino hanzvadzi yake yakazvimisa kure, kuti izive zvichaitwa kwaari.
  1560. Exo 2:5 Zvino mukunda waFarao wakaburuka kuzoshamba parwizi, varandakadzi vake ndokufamba parutivi rwerwizi. Iye ndokuona tswanda pakati petsanga, ndokutuma murandakadzi wake, iye ndokuitora.
  1561. Exo 2:6 Zvino wakaizarura ndokuona mwana, zvino tarira, mukomana wakachema. Zvino wakamunzwira tsitsi, ndokuti: Uyu ndeumwe wevana vevaHebheru.
  1562. Exo 2:7 Hanzvadzi yake ndokuti kumukunda waFarao: Ndiende here ndinokudanirai mukadzi anoyamwisa kuvaHebheru kuti akuyamwisirei mukomana?
  1563. Exo 2:8 Mukunda waFarao ndokuti kwaari: Enda. Mhandara ndokuenda, ndokudana mai vemukomana.
  1564. Exo 2:9 Mukunda waFarao ndokuti kwaari: Tora mwana uyu uende naye, unondiyamwisira; ini ndigokupa mubairo wako. Mukadzi ndokutora mwana, ndokumuyamwisa.
  1565. Exo 2:10 Mwana ndokukura, iye ndokumuunza kumukunda waFarao, ndokuva mwanakomana wake; iye ndokutumidza zita rake Mozisi, ndokuti: Nokuti ndakamunyurura mumvura.
  1566. Exo 2:11 Zvino zvakaitika mumazuva iwawo Mozisi akura, kuti wakabudira kuhama dzake, ndokutarisa mitoro yavo; ndokuona murume muEgipita achirova murume muHebheru wehama dzake.
  1567. Exo 2:12 Akaringa kuno neuko, zvino paakaona kuti hapana munhu, ndokurova muEgipita, ndokumuviga mujecha.
  1568. Exo 2:13 Zvino wakabuda nezuva repiri, zvino tarira, varume vaviri vaHebheru vachirwa; iye ndokuti kune waitadza: Unoroverei wekwako?
  1569. Exo 2:14 Iye ndokuti: Ndiani akuita ishe nemutongi pamusoro pedu? Unotaurira izvi kundiuraya sezvawakauraya muEgipita kanhi? Mozisi ndokutya, ndokuti: Zvirokwazvo, chinhu ichi chinozikanwa.
  1570. Exo 2:15 Farao wakati anzwa chinhu ichi, wakatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi wakatiza kubva pachiso chaFarao, ndokugara munyika yeMidhiani; ndokugara patsime.
  1571. Exo 2:16 Zvino kumupristi weMidhiani kwaiva nevakunda vanomwe; ivo ndokuuya kuzochera mvura, ndokuzadza zvinwiro, kuti vanwise boka rababa vavo.
  1572. Exo 2:17 Vafudzi ndokuuya, vakavadzinga; asi Mozisi wakasimuka, ndokuvanunura, ndokunwisa boka ravo.
  1573. Exo 2:18 Vakati vachisvika kuna Rueri baba vavo, ivo ndokuti: Sei mauya nekukurumidza zvakadai nhasi?
  1574. Exo 2:19 Ivo ndokuti: Murume MuEgipita watinunura kubva paruoko rwevafudzi, ndokutichererawo kwazvo, ndokunwisa boka.
  1575. Exo 2:20 Iye ndokuti kuvakunda vake: Zvino aripi? Masiirei munhu uyu? Mudanei, kuti adye chingwa.
  1576. Exo 2:21 Mozisi ndokubvuma kugara nemunhu uyu; iye ndokupa Mozisi Zipora mukunda wake.
  1577. Exo 2:22 Iye ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Gerishomu, nokuti wakati: Ndanga ndiri mutorwa munyika yevamwe.
  1578. Exo 2:23 Zvino zvakaitika mumazuva mazhinji awa, kuti mambo weEgipita wakafa, vana vaIsraeri ndokugomera nekuda kweutapwa, zvino vakadanidzira; kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nekuda kweutapwa.
  1579. Exo 2:24 Mwari ndokunzwa kugomera kwavo, Mwari ndokurangarira sungano yake naAbhurahama, naIsaka, uye naJakove.
  1580. Exo 2:25 Mwari ndokuona vana vaIsraeri, Mwari akavaziva.
  1581. Exo 3:1 Zvino Mozisi waiva achifudza boka raJeturo, mukarahwa wake, mupristi weMidhiani; zvino wakatinhira boka seri kwerenje, ndokusvika kugomo raMwari, kuHorebhu.
  1582. Exo 3:2 Mutumwa waJehovha ndokuonekwa kwaari mumurazvo wemoto kubva pakati pegwenzi; zvino wakaona, zvino tarira, gwenzi raipfuta nemoto, asi gwenzi risingaperi.
  1583. Exo 3:3 Mozisi ndokuti: Regai henyu nditendeukire kurutivi ndione chiratidzo chikuru ichi, kuti gwenzi haritsvi nei.
  1584. Exo 3:4 Zvino Jehovha paakaona kuti watendeukira kurutivi kunoona, Mwari wakadana kwaari kubva mukati megwenzi, ndokuti: Mozisi! Mozisi! Iye ndokuti: Ndiri pano.
  1585. Exo 3:5 Ndokuti: Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti nzvimbo paumire ivhu dzvene.
  1586. Exo 3:6 Akatiwo: Ndiri Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakove. Mozisi ndokuviga chiso chake, nokuti wakatya kutarira kuna Mwari.
  1587. Exo 3:7 Zvino Jehovha wakati: Zvirokwazvo ndaona dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, uye ndanzwa kudanidzira kwavo nekuda kwevashandisi vavo; nokuti ndinoziva marwadzo avo.
  1588. Exo 3:8 Zvino ndaburuka kuvanunura muruoko rwevaEgipita nekuvakwidza kubva munyika iyo, kuenda kunyika yakanaka uye yakapamhama, kunyika inoyerera mukaka neuchi, kunzvimbo yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi.
  1589. Exo 3:9 Zvino ikozvino, tarira, kuchema kwevana vaIsraeri kwasvika kwandiri, ndaonawo kumanikidza vaEgipita kwavanovamanikidza nako.
  1590. Exo 3:10 Naizvozvo ikozvino uya, uye ndichakutuma kuna Farao, kuti unobudisa rudzi rwangu, vana vaIsraeri, kubva muEgipita.
  1591. Exo 3:11 Zvino Mozisi wakati kuna Mwari: Ndini ani, kuti ndiende kuna Farao, uye kuti ndibudise vana vaIsraeri kubva muEgipita?
  1592. Exo 3:12 Iye ndokuti: Zvirokwazvo ndichava newe; uye ichi mucherechedzo kwauri kuti ndakutuma: Kana wabudisa rudzi kubva muEgipita, muchanamata Mwari pagomo iri.
  1593. Exo 3:13 Mozisi ndokuti kuna Mwari: Tarirai, kana ndasvika kuvana vaIsraeri, uye ndati kwavari: Mwari wemadzibaba enyu wakandituma kwamuri, zvino ivo vachati kwandiri: Zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?
  1594. Exo 3:14 Mwari ndokuti kuna Mozisi: NDIRI IYE WANDIRI IYE. Ndokuti: Ndizvo zvauchataura kuvana vaIsraeri: NDIRI IYE wandituma kwamuri.
  1595. Exo 3:15 Mwari ndokutiwo kuna Mozisi: Ndizvo zvauchataura kuvana vaIsraeri: Jehovha, Mwari wemadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakove, wandituma kwamuri; iri izita rangu kusvika rinhi narinhi, uye ichi chirangaridzo changu kusvika kuzera nezera.
  1596. Exo 3:16 Enda, unounganidza vakuru vaIsraeri, ugoti kwavari: Jehovha, Mwari wemadzibaba enyu wakaonekwa kwandiri, Mwari waAbhurahama, Isaka, naJakove, achiti: Ndakakushanyirai zvirokwazvo, zvino ndaona zvamunoitirwa muEgipita;
  1597. Exo 3:17 uye ndati: Ndichakukwidzai kubva pakutambudzika kweEgipita, ndikuisei kunyika yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka neuchi.
  1598. Exo 3:18 Vachateerera kuinzwi rako; uye uchauya, iwe nevakuru vaIsraeri, kuna mambo weEgipita, uye muchati kwaari: Jehovha, Mwari wevaHebheru, wakasangana nesu; zvino ikozvino regai henyu tiende rwendo rwemazuva matatu murenje, uye tichabaira kuna Jehovha, Mwari wedu.
  1599. Exo 3:19 Zvino ini ndinoziva kuti mambo weEgipita haakubvumidzii kuenda, kwete kunyange neruoko rwune simba.
  1600. Exo 3:20 Zvino ndichatandavadza ruoko rwangu, ndigorova Egipita nezvishamiso zvangu zvose zvandichaita mukati maro; uye shure kweizvozvo achakuregai muenda.
  1601. Exo 3:21 Zvino ndichapa rudzi urwu nyasha pachiso chevaEgipita, uye zvichaitika kuti kana muchienda, hamungaendi musina chinhu.
  1602. Exo 3:22 Asi mukadzi umwe neumwe achakumbira kumuvakidzani wake, nekumutorwa weimba yake, zvishongo zvesirivha nezvishongo zvegoridhe, nenguvo, uye muchafukidza vanakomana venyu nevanasikana venyu; uye muchapamba vaEgipita.
  1603. Exo 4:1 Zvino Mozisi wakapindura ndokuti: Asi tarirai, havanganditendi, uye havangateereri kuinzwi rangu, nokuti vachati: Jehovha haana kuonekwa kwauri.
  1604. Exo 4:2 Jehovha ndokuti kwaari: Chii ichi chiri muruoko rwako? Iye ndokuti: Itsvimbo.
  1605. Exo 4:3 Zvino wakati: Ikandire pasi. Iye ndokuikandira pasi. Iyo ndokuva nyoka. Mozisi ndokuitiza kubva pamberi payo.
  1606. Exo 4:4 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadza ruoko rwako, uibate nemuswe. Iye ndokutandavadza ruoko rwake, ndokuibata, iyo ndokuva tsvimbo muruoko rwake;
  1607. Exo 4:5 kuti vatende kuti Jehovha, Mwari wemadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakove, wakaonekwa kwauri.
  1608. Exo 4:6 Jehovha ndokutizve kwaari: Isa hako ruoko rwako muchipfuva chako. Iye ndokuisa ruoko rwake muchipfuva chake; wakati arubudisa, zvino tarira, ruoko rwake rwava nemaperembudzi semagada echando.
  1609. Exo 4:7 Zvino wakati: Dzosera ruoko rwako muchipfuva chako. Iye ndokudzosera ruoko rwake muchipfuva chake; zvino arubvisa muchipfuva chake, zvino tarira, rwakadzoserwa kuva senyama yake.
  1610. Exo 4:8 Zvino zvichaitika kana vasingakutendi, kana kuteerera kuinzwi rechiratidzo chekutanga, kuti vachatenda inzwi rechiratidzo chinotevera.
  1611. Exo 4:9 Zvino zvichaitika kana vasingatendiwo zviratidzo izvi zviviri, vasingateereriwo kuinzwi rako, kuti utore kubva pamvura yerwizi, ugodira pakaoma; zvino mvura yawatora kubva murwizi ichava ropa pakaoma.
  1612. Exo 4:10 Zvino Mozisi wakati kuna Jehovha: Haiwa, Ishe wangu, handisi mutauri, kunyange kubva zuro, kana kubva marimwezuro, kana kubva pamakataura kumuranda wenyu; nokuti ndinoremerwa nemuromo uye ndinoremerwa nerurimi.
  1613. Exo 4:11 Jehovha ndokuti kwaari: Ndiani wakaitira munhu muromo? Kana ndiani wakaita mbeveve kana matsi kana anoona kana bofu? Handisi ini Jehovha here?
  1614. Exo 4:12 Zvino ikozvino enda, zvino ini ndichava nemuromo wako, ndigokudzidzisa zvauchataura.
  1615. Exo 4:13 Asi iye wakati: Haiwa, Ishe wangu, tumai henyu neruoko rwewamuchatuma.
  1616. Exo 4:14 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paMozisi, ndokuti: Aroni muRevhi haasi mukoma wako here? Ndinoziva kuti anotaura zvakanaka. Zvino tarirawo, achabuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.
  1617. Exo 4:15 Zvino uchataura kwaari, ugoisa mashoko mumuromo make; uye ini ndichava nemuromo wako, uye nemuromo wake, uye ndichakudzidzisai zvamuchaita.
  1618. Exo 4:16 Zvino iye achataura pachinzvimbo chako kuvanhu, zvino zvichaitika, iye ave muromo kwauri uye iwe uve saMwari kwaari.
  1619. Exo 4:17 Zvino uchatora tsvimbo iyi muruoko rwako, yauchaita nayo zviratidzo.
  1620. Exo 4:18 Zvino Mozisi wakaenda, ndokudzokera kuna Jeturo mukarahwa wake, ndokuti kwaari: Regai henyu ndiende, ndidzokere kuhama dzangu dziri muEgipita, ndinoonawo kana vachiri vapenyu. Jeturo ndokuti kuna Mozisi: Enda nerugare.
  1621. Exo 4:19 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi paMidhiani: Enda, dzokera kuEgipita, nokuti varume vose vakafa ivo vaitsvaka upenyu hwako.
  1622. Exo 4:20 Zvino Mozisi wakatora mukadzi wake nevanakomana vake, ndokuvatasvisa pambongoro, ndokudzokera kunyika yeEgipita. Mozisi ndokutora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
  1623. Exo 4:21 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pakuenda kwako kudzokera kuEgipita, ona kuti zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako uzviite pamberi paFarao; asi ndichaomesa moyo wake kuti asarega rudzi rwuchienda.
  1624. Exo 4:22 Zvino uchati kuna Farao: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Mwanakomana wangu, dangwe rangu, ndiIsraeri.
  1625. Exo 4:23 Zvino ndinoti kwauri: Rega mwanakomana wangu aende, kuti andishumire; asi waramba kumurega aende, tarira, ndichauraya mwanakomana wako, dangwe rako.
  1626. Exo 4:24 Zvino zvakaitika panzira paimba yevaeni kuti Jehovha wakasangana naye, ndokutsvaka kumuuraya.
  1627. Exo 4:25 Zipora ndokutora ibwe rinopinza, ndokucheka chikanda chepamberi chemwanakomana wake, ndokukanda patsoka dzake ndokuti: Zvirokwazvo uri chikomba cheropa kwandiri.
  1628. Exo 4:26 Zvino iye wakamurega. Ipapo akati: Uri chikomba cheropa nekuda kwekudzingiswa.
  1629. Exo 4:27 Zvino Jehovha wakati kuna Aroni: Enda kurenje kunosangana naMozisi. Iye ndokuenda, ndokusangana naye pagomo raMwari, ndokumutsvoda.
  1630. Exo 4:28 Zvino Mozisi wakaudza Aroni mashoko ose aJehovha waiva amutuma, nezviratidzo zvose zvaaiva amuraira.
  1631. Exo 4:29 Zvino Mozisi naAroni vakaenda ndokuunganidza vakuru vose vevana vaIsraeri.
  1632. Exo 4:30 Aroni ndokutaura mashoko ose Jehovha aaiva ataura kuna Mozisi, ndokuita zviratidzo pamberi pemeso evanhu.
  1633. Exo 4:31 Zvino vanhu vakatenda; vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsraeri, uye kuti aona kutambudzika kwavo, vakakotama, vakanamata.
  1634. Exo 5:1 Zvino shure kweizvozvi Mozisi naAroni vakapinda, ndokuti kuna Farao: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri: Rega vanhu vangu vaende, kuti vandichengetedzere mabiko murenje.
  1635. Exo 5:2 Farao ndokuti: Ndiani Jehovha, kuti nditeerere kuinzwi rake, kuti ndirege Israeri achienda? Handizivi Jehovha, uyewo Israeri handiregi achienda.
  1636. Exo 5:3 Zvino vakati: Mwari wevaHebheru wakasangana nesu; regai henyu tiende rwendo rwemazuva matatu murenje, tigonobaira kuna Jehovha Mwari wedu; zvimwe angatiwira nedenda kana nemunondo.
  1637. Exo 5:4 Zvino mambo weEgipita wakati kwavari: Sei, Mozisi naAroni, muchibvisa vanhu kubva pamabasa avo? Endai kumitoro yenyu.
  1638. Exo 5:5 Farao ndokuti: Tarirai, ikozvino vanhu venyika vawanda, zvino movazorodza pamitoro yavo.
  1639. Exo 5:6 Farao ndokuraira nezuva iroro vatariri vebasa vevanhu, nevatariri vavo, achiti:
  1640. Exo 5:7 Musaramba muchipa vanhu majanga ekuita zvitina nawo sazuro namarimwezuro; ivo ngavaende vanozviunganidzira majanga.
  1641. Exo 5:8 Asi chiyero chezvitina zvavakaita zuro namarimwezuro, muchavatarira; musazvitapudza pachiri, nokuti havana chavanobata, naizvozvo vanodana, vachiti: Regai tiende tinobaira kuna Mwari wedu.
  1642. Exo 5:9 Basa ngarireme pamusoro pevarume, kuti vabate mariri, uye ngavarege kutarira mashoko asina maturo.
  1643. Exo 5:10 Zvino vatariri vebasa vevanhu vakabuda, nevatariri vavo, ndokutaura kuvanhu, vachiti: Anoreva seizvi Farao: Handichakupiyi majanga.
  1644. Exo 5:11 Endai imwi munozvitorera majanga pamungamawana; asi hapana chichaderedzwa pabasa renyu.
  1645. Exo 5:12 Zvino vanhu vakapararira panyika yose yeEgipita kuti vaunganidze zvitsinzinzi panzvimbo yemajanga.
  1646. Exo 5:13 Zvino vatariri vebasa vakavamanikidza, vachiti: Pedzai mabasa enyu, chinhu chezuva nezuva racho, sezvaaitwa pane majanga.
  1647. Exo 5:14 Nevatariri vevana vaIsraeri, vatariri vebasa vaFarao vavaiva vaisa pamusoro pavo, vairohwa, zvichinzi: Maregerei kupedza basa renyu pakuita zvitina sazuro namarimwezuro, zvose zuro nanhasi?
  1648. Exo 5:15 Zvino vatariri vevana vaIsraeri vakauya vakachema kuna Farao, vachiti: Munoitirei kudaro kuvaranda venyu?
  1649. Exo 5:16 Majanga haapiwi kuvaranda venyu, asi vanoti kwatiri: Itai zvitina; zvino tarirai, varanda venyu vanorohwa, asi mhosva ndeyevanhu venyu.
  1650. Exo 5:17 Asi wakati: Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata; naizvozvo munoti: Regai tiende tinobaira kuna Jehovha.
  1651. Exo 5:18 Zvino ikozvino endai, batai, nokuti hakuna majanga achapiwa kwamuri, zvakadaro muchaunza chiyero chezvitina.
  1652. Exo 5:19 Zvino vatariri vevana vaIsraeri vakaona vari pakaipa, zvazvakanzi: Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, chinhu chezuva nezuva racho.
  1653. Exo 5:20 Zvino vakasangana naMozisi naAroni, vaiva vamire kusangana navo pakubuda kwavo kubva kuna Farao;
  1654. Exo 5:21 ndokuti kwavari: Jehovha ngaakutarirei, uye atonge, nokuti maita kunhuhwira kwedu kunhuhwe pameso aFarao nepameso evaranda vake, mapa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.
  1655. Exo 5:22 Zvino Mozisi wakadzokera kuna Jehovha, ndokuti: Ishe, maitirei chakaipa kurudzi urwu? Manditumirei?
  1656. Exo 5:23 Nokuti kubva pandakauya kuna Farao kuzotaura muzita renyu, iye wakaita chakaipa kurudzi urwu; uye hamuna kutongonunura rudzi rwenyu.
  1657. Exo 6:1 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Ikozvino uchaona zvandichaita kuna Farao; nokuti neruoko rwune simba achavarega vachienda, uye neruoko rwune simba achavadzinga kubva munyika yake.
  1658. Exo 6:2 Mwari ndokutaura kuna Mozisi, ndokuti kwaari: Ndini JEHOVHA;
  1659. Exo 6:3 uye ndakaonekwa kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove, saMwari Wemasimbaose, asi ndaiva ndisingazikanwi kwavari nezita rangu JEHOVHA.
  1660. Exo 6:4 Zvino ndakasimbisawo sungano yangu navo, kuvapa nyika yeKenani, nyika yeupfuuri hwavo, mavaiva vari vaeni.
  1661. Exo 6:5 Ini ndakanzwawo kugomera kwevana vaIsraeri, vaEgipita vavakachengeta pauranda, uye ndakarangarira sungano yangu.
  1662. Exo 6:6 Naizvozvo iti kuvana vaIsraeri: Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pemitoro yevaEgipita, uye ndichakusunungurai pauranda hwavo, uye ndichakudzikinurai neruoko rwakatandavadzwa, uye nemitongo mikuru.
  1663. Exo 6:7 Uye ndichazvitorera imwi kuva rudzi, zvino ini ndichava Mwari kwamuri, uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, anokubudisai kubva pasi pemitoro yevaEgipita.
  1664. Exo 6:8 Zvino ndichakupinzai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kuna Abhurahama, kuna Isaka, uye kuna Jakove, ndigoipa kwamuri ive nhaka; ini Jehovha.
  1665. Exo 6:9 Mozisi ndokutaura saizvozvo kuvana vaIsraeri, asi havana kuteerera kuna Mozisi nekuda kwekutambudzika kwemweya uye nekuda kweuranda hwakaoma.
  1666. Exo 6:10 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  1667. Exo 6:11 Pinda, taura kuna Farao mambo weEgipita, kuti arege vana vaIsraeri vabude munyika yake.
  1668. Exo 6:12 Mozisi ndokutaura pamberi paJehovha, achiti: Tarirai, vana vaIsraeri havana kunditeerera; zvino Farao achanditeerera sei, ndiri wemiromo isina kudzingiswa?
  1669. Exo 6:13 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi nekuna Aroni, ndokuvaraira pavana vaIsraeri, nepana Farao mambo weEgipita, kubudisa vana vaIsraeri kubva munyika yeEgipita.
  1670. Exo 6:14 Ava misoro yedzimba dzemadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsraeri: Hanoki, naParu, Hezironi, naKarimi; ava marudzi aRubheni.
  1671. Exo 6:15 Nevanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri mwanakomana wemukadzi muKenani; ava marudzi aSimioni.
  1672. Exo 6:16 Uye awa mazita evanakomana vaRevhi zvichienderana nemazera avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; uye makore eupenyu hwaRevhi aiva makore zana nemakumi matatu nemanomwe.
  1673. Exo 6:17 Vanakomana vaGerishoni: Ribhini, naShimei, zvichienderana nemarudzi avo.
  1674. Exo 6:18 Nevanakomana vaKohati: Amiramu, naIzihari, naHebhuroni, naUziyeri; uye makore eupenyu hwaKohati makore zana nemakumi matatu nematatu.
  1675. Exo 6:19 Nevanakomana vaMerari: Makihiri, naMushi. Ava marudzi aRevhi zvichienderana nemazera avo.
  1676. Exo 6:20 Zvino Amiramu wakatora Jokebhedhi vatete vake kuva mukadzi wake, iye ndokumuberekera Aroni naMozisi. Uye makore eupenyu hwaAmiramu aiva makore zana nemakumi matatu nemanomwe.
  1677. Exo 6:21 Zvino vanakomana vaIzihari: Kora, naNefegi, naZikiri.
  1678. Exo 6:22 Nevanakomana vaUziyeri: Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
  1679. Exo 6:23 Aroni ndokutora Erishebha mukunda waAminadhabhi kuva mukadzi wake, hanzvadzi yaNaashoni; iye ndokumuberekera Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.
  1680. Exo 6:24 Uye vanakomana vaKora: Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ava marudzi evaKora.
  1681. Exo 6:25 NaEriazari mwanakomana waAroni wakazvitorera umwe kuvakunda vaPutieri kuva mukadzi wake; iye ndokumuberekera Pinehasi. Ava misoro yemadzibaba evaRevhi zvichienderana nemarudzi avo.
  1682. Exo 6:26 Ava ndivo Aroni naMozisi Jehovha waakati kwavari: Budisai vana vaIsraeri kubva munyika yeEgipita zvichienderana nehondo dzavo.
  1683. Exo 6:27 Ava ndivo vakataura kuna Farao mambo weEgipita, kubudisa vana vaIsraeri kubva muEgipita; ndivo vaya Mozisi naAroni.
  1684. Exo 6:28 Zvino zvakaitika nezuva rekutaura kwaJehovha kuna Mozisi munyika yeEgipita,
  1685. Exo 6:29 kuti Jehovha wakataura kuna Mozisi, achiti: Ndini Jehovha; taura kuna Farao, mambo weEgipita, zvose zvandinotaura kwauri.
  1686. Exo 6:30 Mozisi ndokuti pamberi paJehovha: Tarirai, ndiri wemiromo isina kudzingiswa; zvino Farao achanditeerera sei?
  1687. Exo 7:1 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Ona, ndakuita mwari kuna Farao; uye Aroni mukoma wako achava muporofita wako.
  1688. Exo 7:2 Iwe uchataura zvose zvandinokuraira; uye Aroni mukoma wako achataura kuna Farao, kuti arege vana vaIsraeri vabude munyika yake.
  1689. Exo 7:3 Asi ini ndichaomesa moyo waFarao, uye ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu munyika yeEgipita.
  1690. Exo 7:4 Asi Farao haangakuteererii; uye ndichaisa ruoko rwangu muEgipita, nekubudisa hondo dzangu, irwo rudzi rwangu vana vaIsraeri, kubva munyika yeEgipita nemitongo mikuru.
  1691. Exo 7:5 Zvino vaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha, pakutandavadza kwangu ruoko rwangu pamusoro peEgipita, uye ndibudise vana vaIsraeri kubva pakati pavo.
  1692. Exo 7:6 Zvino Mozisi naAroni vakaita Jehovha sezvaakavaraira, vakaita saizvozvo.
  1693. Exo 7:7 Mozisi waiva ari wemakore makumi masere, uye Aroni waiva ari wemakore makumi masere nematatu, pavakataura kuna Farao.
  1694. Exo 7:8 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni, achiti:
  1695. Exo 7:9 Kana Farao achitaura kwamuri, achiti: Zviitirei chishamiso; ipapo uchati kuna Aroni: Tora tsvimbo yako, ugokanda pamberi paFarao; ichava nyoka.
  1696. Exo 7:10 Mozisi naAroni ndokupinda kuna Farao, ndokuita saizvozvo Jehovha sezvaakaraira. Aroni ndokukanda tsvimbo yake pamberi paFarao nepamberi pevaranda vake; zvino ikava nyoka.
  1697. Exo 7:11 Farao ndokudanawo vachenjeri nevaroyi, n’anga dzeEgipita. Ivo vakaitawo saizvozvo neuroyi hwavo.
  1698. Exo 7:12 Nokuti vakakanda umwe neumwe tsvimbo yake, dzikavawo nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
  1699. Exo 7:13 Asi moyo waFarao wakava wakaoma, zvekuti haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.
  1700. Exo 7:14 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Moyo waFarao warema; waramba kurega rudzi rwuchienda.
  1701. Exo 7:15 Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda kuenda kumvura; uye iwe uchamira wakanangana naye pamahombekombe erwizi; netsvimbo yakashanduka nyoka uitore muruoko rwako.
  1702. Exo 7:16 Zvino uchati kwaari: Jehovha, Mwari wevaHebheru, wakandituma kwauri, achiti: Rega rudzi rwangu rwuende, kuti vanondishumira murenje; zvino tarira, kusvika ikozvino hauna kuteerera.
  1703. Exo 7:17 Anoreva seizvi Jehovha: Neizvi uchaziva kuti ndini Jehovha: Tarira, ndicharova netsvimbo iri muruoko rwangu pamusoro pemvura iri murwizi, uye ichashandurwa kuva ropa.
  1704. Exo 7:18 Zvino hove dziri murwizi dzichafa, nerwizi ruchanhuhwa; zvino vaEgipita vachaneta nekunwa mvura murwizi.
  1705. Exo 7:19 Jehovha akatiwo kuna Mozisi: Iti kuna Aroni: Tora tsvimbo yako, ugotandavadza ruoko rwako pamusoro pemvura yeEgipita, pamusoro pehova dzavo, pamusoro penzizi dzavo, nepamusoro pemadziva avo, nepamusoro pemakawa avo ose emvura, kuti zvive ropa; uye kuchava neropa panyika yose yeEgipita, zvose mumidziyo yematanda nemumidziyo yemabwe.
  1706. Exo 7:20 Mozisi naAroni ndokuita saizvozvo, Jehovha sezvaakaraira; ndokusimudza tsvimbo, ndokurova mvura yaiva iri murwizi, pamberi pemeso aFarao nepamberi pemeso evaranda vake, mvura yose yaiva murwizi ndokushandurwa kuva ropa.
  1707. Exo 7:21 Zvino hove dzaiva murwizi dzakafa; rwizi ndokunhuhwa; vaEgipita ndokukonewa kunwa mvura kubva murwizi; zvino kukava neropa munyika yose yeEgipita.
  1708. Exo 7:22 N’anga dzeEgipita dzikaitawo saizvozvo neuroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakava wakaoma, uye haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.
  1709. Exo 7:23 Zvino Farao wakatendeuka ndokupinda mumba make; uye haana kuisa moyo wake kunyange pane izvozvi.
  1710. Exo 7:24 Zvino vaEgipita vose vakachera nhivi dzerwizi kutsvaka mvura yekunwa; nokuti vaiva vasingagoni kunwa pamvura yemurwizi.
  1711. Exo 7:25 Mazuva manomwe akazadziswa shure kwekunge Jehovha arova rwizi.
  1712. Exo 8:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pinda kuna Farao, ugoti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondishumira.
  1713. Exo 8:2 Zvino kana uchiramba kuvarega vaende, tarira, ndicharova muganhu wako wose nematacha.
  1714. Exo 8:3 Nerwizi rwuchafararika nematacha; uye achakwira ndokupinda mumba mako, nemumba mako mekurara, nepamusoro pemubhedha wako, nemumba mevaranda vako, nepamusoro perudzi rwako, nemuzvoto zvako, nemumidziyo yako yekukanyira zvekudya.
  1715. Exo 8:4 Zvino matacha achakwira pauri nepamusoro perudzi rwako nepamusoro pevaranda vako vose.
  1716. Exo 8:5 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Iti kuna Aroni: Tandavadza ruoko rwako pamwe netsvimbo yako pamusoro pehova, pamusoro penzizi, nepamusoro pemadziva, ukwidze matacha pamusoro penyika yeEgipita.
  1717. Exo 8:6 Aroni ndokutandavadza ruoko rwake pamusoro pemvura dzeEgipita; matacha ndokukwira, ndokufukidza nyika yeEgipita.
  1718. Exo 8:7 N’anga ndokuita saizvozvo neuroyi hwadzo, ndokukwidza matacha pamusoro penyika yeEgipita.
  1719. Exo 8:8 Zvino Farao wakadana Mozisi naAroni, ndokuti: Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matacha kubva kwandiri nekubva kurudzi rwangu; zvino ndicharega rudzi rwuende kuti vabaire kuna Jehovha.
  1720. Exo 8:9 Mozisi ndokuti kuna Farao: Kudzwai pamusoro pangu! Ndinokunyengetererai rinhi, uye varanda venyu uye rudzi rwenyu, kuparadza matacha kubva kwamuri, nekubva kudzimba dzenyu, asare murwizi chete?
  1721. Exo 8:10 Iye ndokuti: Mangwana. Iye ndokuti: Seshoko renyu, kuti muzive kuti hakuna wakafanana naJehovha Mwari wedu.
  1722. Exo 8:11 Zvino matacha achabva kwamuri, nekudzimba dzenyu, nekuvaranda venyu, nekurudzi rwenyu; achasara murwizi chete.
  1723. Exo 8:12 Mozisi naAroni ndokubuda kubva kuna Farao; Mozisi ndokudana kuna Jehovha maererano nenyaya yematacha aaiva aisira Farao.
  1724. Exo 8:13 Jehovha ndokuita maererano neshoko raMozisi; matacha ndokufa kubuda mudzimba, kubuda mumisha, nekubuda muminda.
  1725. Exo 8:14 Zvino vakaaunganidza mirwi nemirwi; nyika ndokunhuhwa.
  1726. Exo 8:15 Asi Farao aona kuti zvambozorora, ndokuremesa moyo wake, uye haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.
  1727. Exo 8:16 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Iti kuna Aroni: Tandavadza tsvimbo yako, ugorova guruva repasi, rigova utunga panyika yose yeEgipita.
  1728. Exo 8:17 Zvino vakaita saizvozvo; nokuti Aroni wakatandavadza ruoko rwake netsvimbo yake, ndokurova guruva repasi; utunga ndokuvapo pavanhu nepazvipfuwo; guruva rose repasi rikava utunga panyika yose yeEgipita.
  1729. Exo 8:18 N’anga ndokuita saizvozvo neuroyi hwadzo kubudisa utunga, asi hadzina kugona; naizvozvo utunga hwaiva pavanhu nepazvipfuwo.
  1730. Exo 8:19 Zvino n’anga dzakati kuna Farao: Uyu munwe waMwari. Asi moyo waFarao wakava wakaoma, zvino akasavateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.
  1731. Exo 8:20 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Muka mangwanani-ngwanani, ugozvimisa pamberi paFarao; tarira, anobudira kumvura, zvino uti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vandishumire.
  1732. Exo 8:21 Nokuti kana usingaregi vanhu vangu vaende, tarira, ndichatuma fararira renhunzi pamusoro pako, nepamusoro pevaranda vako, nepamusoro perudzi rwako, nemudzimba dzako; nedzimba dzevaEgipita dzichazara nemafararira enhunzi, uyewo ivhu padziri.
  1733. Exo 8:22 Uye ndichaparadzanisa muzuva iro nyika yeGosheni mugere rudzi rwangu mairi, kuti pasavapo nefararira renhunzi; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika.
  1734. Exo 8:23 Zvino ndichaisa mutsauko pakati perudzi rwangu nerudzi rwako; mangwana kuchava nechiratidzo ichi.
  1735. Exo 8:24 Zvino Jehovha wakaita saizvozvo; mafararira makuru enhunzi ndokusvika mumba maFarao, nemudzimba dzevaranda vake, nemunyika yose yeEgipita; nyika yakaodzwa nekuda kwemafararira enhunzi.
  1736. Exo 8:25 Zvino Farao wakadana Mozisi naAroni, ndokuti: Endai, mubaire kuna Mwari wenyu munyika ino.
  1737. Exo 8:26 Mozisi ndokuti: Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabaira zvinonyangadza zvevaEgipita kuna Jehovha, Mwari wedu. Tarirai, tikabaira zvinonyangadza zvevaEgipita pamberi pemeso avo, havangatitaki nemabwe here?
  1738. Exo 8:27 Tichaenda rwendo rwemazuva matatu murenje, tigobaira kuna Jehovha Mwari wedu, sezvaachataura kwatiri.
  1739. Exo 8:28 Farao ndokuti: Ini ndichakuregai muende, kuti mubaire kuna Jehovha Mwari wenyu murenje; koga musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.
  1740. Exo 8:29 Mozisi ndokuti: Tarirai, ndinobuda kubva kwamuri, uye ndichanyengetera kuna Jehovha kuti mafararira enhunzi abve kuna Farao, kubva kuvaranda vake nekubva kurudzi rwake mangwana; koga Farao ngaarege kuwedzera kunyengera pakurega kuregedza rudzi rwuende kunobaira kuna Jehovha.
  1741. Exo 8:30 Mozisi ndokubuda kubva kuna Farao, ndokunyengetera kuna Jehovha.
  1742. Exo 8:31 Jehovha ndokuita maererano neshoko raMozisi, ndokubvisa mafararira enhunzi kubva kuna Farao, kubva kuvaranda vake, nekubva kurudzi rwake; hakuna kusara imwe.
  1743. Exo 8:32 Asi Farao wakaremesa moyo wake panguva iyiwo, uye haana kurega rudzi rwuende.
  1744. Exo 9:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pinda kuna Farao, ugoti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari wevaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vandishumire.
  1745. Exo 9:2 Nokuti kana ukaramba kurega vaende, uye ukaramba wakavabata,
  1746. Exo 9:3 tarira, ruoko rwaJehovha rwuchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, pamusoro pemabhiza, pamusoro pembongoro, pamusoro pemakamera, pamusoro pemombe, nepamusoro pezvipfuwo zvidiki; ichava hosha yakarema kwazvo.
  1747. Exo 9:4 Zvino Jehovha achaparadzanisa pakati pezvipfuwo zvaIsraeri nezvipfuwo zvaEgipita; uye hapana chichafa pane zvose zvevana vaIsraeri.
  1748. Exo 9:5 Zvino Jehovha wakamisa nguva yakatarwa achiti: Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika.
  1749. Exo 9:6 Jehovha ndokuita chinhu ichi chifume; zvipfuwo zvose zveEgipita ndokufa; asi pazvipfuwo zvevana vaIsraeri hapana chimwe chakafa.
  1750. Exo 9:7 Farao ndokutuma vanhu, zvino tarira, kwaiva kusina kunyange chimwe pazvipfuwo zvaIsraeri chakafa. Asi moyo waFarao wakava wakarema, uye haana kurega rudzi rwuende.
  1751. Exo 9:8 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi nekuna Aroni: Zvitorerei maoko enyu azere emadota echoto, uye Mozisi ngaakushire kumatenga pamberi pemeso aFarao.
  1752. Exo 9:9 Zvino richava guruva rakatsetseka panyika yose yeEgipita; uye richava mota rinoputika mhoni pavanhu nepazvipfuwo munyika yose yeEgipita.
  1753. Exo 9:10 Zvino vakatora madota echoto, ndokumira pamberi paFarao, Mozisi ndokuakushira kumatenga; zvino rikava mota rinoputika mhoni pavanhu nepazvipfuwo.
  1754. Exo 9:11 Zvino n’anga dzaiva dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nekuda kwemamota; nokuti mota raiva pan’anga nepavaEgipita vose.
  1755. Exo 9:12 Asi Jehovha wakaomesa moyo waFarao, uye haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura kuna Mozisi.
  1756. Exo 9:13 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Fumira mangwanani, ugozvimisa pamberi paFarao, uye uti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari wevaHebheru: Rega rudzi rwangu rwuende, kuti vandishumire.
  1757. Exo 9:14 Nokuti panguva ino ndichatuma matambudziko angu ose kumoyo wako, nekuvaranda vako, nekurudzi rwako, kuti uzive kuti hapana wakafanana neni panyika yose.
  1758. Exo 9:15 Nokuti ikozvino ndichatandavadza ruoko rwangu, kuti ndikurove iwe nerudzi rwako nehosha, uye uchaparadzwa ubve panyika.
  1759. Exo 9:16 Asi zvirokwazvo nekuda kweizvi ndakumisa, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rirondedzerwe panyika yose.
  1760. Exo 9:17 Uchiri kuzvikudza uchipesana nerudzi rwangu, kuti urege kuvarega vaende here?
  1761. Exo 9:18 Tarira, mangwana, nenguva inenge ino, ndichanaisa chimvuramabwe chikuru kwazvo, sechisina kumbova muEgipita kubva pazuva rekuvambwa kwayo kusvikawo ikozvino.
  1762. Exo 9:19 Zvino ikozvino, tuma vanhu, isa pakachengetedzeka zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango. Munhu umwe neumwe nechipfuwo chichawanikwa musango chisina kuunganidzwa kumba, chimvuramabwe chichaburukira pazviri uye zvichafa.
  1763. Exo 9:20 Uyo wakatya shoko raJehovha pakati pevaranda vaFarao wakatizisira kudzimba varanda vake nezvipfuwo zvake.
  1764. Exo 9:21 Asi asina kuisa moyo wake pashoko raJehovha, wakasiya varanda vake nezvipfuwo zvake musango.
  1765. Exo 9:22 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadzira ruoko rwako kumatenga, kuti chimvuramabwe chivepo panyika yose yeEgipita, pamusoro pevanhu, nepamusoro pezvipfuwo, nepamusoro pemuriwo umwe neumwe wemunda panyika yeEgipita.
  1766. Exo 9:23 Mozisi ndokutandavadzira tsvimbo yake kumatenga, Jehovha ndokupa mitinhiro nechimvuramabwe; moto ndokuwira pasi. Jehovha ndokunaisa chimvuramabwe panyika yeEgipita.
  1767. Exo 9:24 Zvino kwakava nechimvuramabwe, nemoto wakazvivhenganisa nechimvuramabwe, chikakurisa, sechisina kuvapo panyika yose yeEgipita kubva payakava rudzi.
  1768. Exo 9:25 Chimvuramabwe ndokurova panyika yose yeEgipita zvose zvaiva kusango, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo; uye chimvuramabwe chakarova muriwo umwe neumwe wemunda, ndokuvhuna muti umwe neumwe wesango.
  1769. Exo 9:26 Koga munyika yeGosheni, maiva nevana vaIsraeri, maiva musina chimvuramabwe.
  1770. Exo 9:27 Zvino Farao wakatuma vanhu ndokudana Mozisi naAroni, ndokuti kwavari: Ndatadza nguva ino; Jehovha wakarurama, asi ini nevanhu vangu takaipa.
  1771. Exo 9:28 Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti zvakwana, kuti kusava nemitinhiro yaMwari nechimvuramabwe; zvino ndichakuregai muende, uye hamuchagarizve.
  1772. Exo 9:29 Mozisi ndokuti kwaari: Ndichingobuda muguta, ndichaparadzira maoko angu kuna Jehovha; mitinhiro ichamira, uye hakuchavi nechimwe chimvuramabwe; kuti muzive kuti nyika ndeya Jehovha.
  1773. Exo 9:30 Asi imwi nevaranda venyu, ndinoziva kuti hamusati matya chiso chaJehovha Mwari.
  1774. Exo 9:31 Zvino michindwe nebhari zvikarohwa; nokuti bhari yaitumbuka, nemichindwe yaiva ine maruva.
  1775. Exo 9:32 Asi gorosi nesipereti hazvina kurohwa, nokuti zvaiva zviri zvitema.
  1776. Exo 9:33 Zvino Mozisi wakabuda muguta kubva kuna Farao, ndokuparadzira maoko ake kuna Jehovha; zvino mitinhiro nechimvuramabwe zvakamira, nemvura ikasadururirwa panyika.
  1777. Exo 9:34 Farao wakati aona kuti mvura nechimvuramabwe nemitinhiro zvamira, wakawedzera kutadza, ndokuremesa moyo wake, iye nevaranda vake.
  1778. Exo 9:35 Moyo waFarao ndokuva wakaoma, uye haana kurega vana vaIsraeri vaende, Jehovha sezvaaiva ataura neruoko rwaMozisi.
  1779. Exo 10:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pinda kuna Farao, nokuti ini ndaremesa moyo wake, nemoyo wevaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvi pakati pake,
  1780. Exo 10:2 uye kuti urondedzere munzeve dzemwanakomana wako, nedzemwanakomana wemwanakomana wako zvinhu zvandakaita muEgipita, nezviratidzo zvangu zvandakaita pakati pavo, kuti muzive kuti ndini Jehovha.
  1781. Exo 10:3 Zvino Mozisi wakapinda naAroni kuna Farao; ivo ndokuti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari wevaHebheru: Kusvika rinhi uchiramba kuzvininipisa pachiso changu? Rega rudzi rwangu rwuende, vagondishumira.
  1782. Exo 10:4 Nokuti kana uchiramba kurega rudzi rwangu rwuende, tarira, mangwana ndichauisa mhashu pamiganhu yako.
  1783. Exo 10:5 Uye dzichafukidza chiso chepasi, kuti kusava neanogona kuona pasi; uye dzichadya zvakasara zvezvakapukunyuka, zvamakasiirwa kubva pachimvuramabwe; uye dzichadya muti umwe neumwe unokurira imwi mumunda.
  1784. Exo 10:6 Zvino dzichazadza dzimba dzenyu, nedzimba dzevaranda venyu vose, nedzimba dzevaEgipita vose; madzibaba enyu dzaasina kuona kana madzibaba emadzibaba enyu, kubva pazuva ravakava panyika kusvika zuva rino. Zvino wakatendeuka ndokubuda kubva kuna Farao.
  1785. Exo 10:7 Zvino varanda vaFarao vakati kwaari: Kusvika rinhi uyu achiva musungo kwatiri? Regai varume vaende, kuti vashumire Jehovha Mwari wavo; hamusati maziva here kuti Egipita raparara?
  1786. Exo 10:8 Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwa kuna Farao, iye ndokuti kwavari: Endai, shumirai Jehovha Mwari wenyu; vachaenda ndivana ani?
  1787. Exo 10:9 Mozisi ndokuti: Tichaenda nevadiki vedu nevakuru vedu, nevanakomana vedu nevanasikana vedu; nemakwai edu, uye nemombe dzedu tichaenda; nokuti tine mabiko kuna Jehovha.
  1788. Exo 10:10 Zvino iye wakati kwavari: Jehovha ngaave nemwi saizvozvo, sezvandichakuregai muende nevanana venyu! Onai, nokuti chakaipa chiri pamberi pezviso zvenyu.
  1789. Exo 10:11 Ngazvisadaro! Endai ikozvino imwi varume mugonoshumira Jehovha, nokuti ndizvo zvamunotsvaka. Zvino vakadzingwa pamberi paFarao.
  1790. Exo 10:12 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadza ruoko rwako pamusoro penyika yeEgipita, nekuda kwemhashu, kuti dzikwire pamusoro penyika yeEgipita, uye dzidye muriwo umwe neumwe wenyika, yose chimvuramabwe yachakasiya.
  1791. Exo 10:13 Mozisi ndokutandavadza tsvimbo yake pamusoro penyika yeEgipita; Jehovha ndokuuisa mhepo yekumabvazuva panyika zuva iro rose neusiku hwose; zvino kwakati mangwanani, mhepo yekumabvazuva yakasimudza mhashu.
  1792. Exo 10:14 Mhashu ndokukwira pamusoro penyika yose yeEgipita, ndokumhara mumiganhu yose yeEgipita, dzakakura kwazvo; kutangira idzo hakuna kuva nemhashu dzakadaro saidzo, uye shure kwadzo hakuchavi nedzakadaro.
  1793. Exo 10:15 Nokuti dzakafukidza chiso chenyika yose, kusvika nyika yasvibiswa. Zvino dzakadya muriwo umwe neumwe wenyika, nemuchero wose wemiti, chimvuramabwe wachaiva chasiya; uye hapana kusara chimwe chechitema mumiti, kana mumiriwo yesango, panyika yose yeEgipita.
  1794. Exo 10:16 Zvino Farao wakakurumidza kudana Mozisi naAroni, ndokuti: Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye imwi.
  1795. Exo 10:17 Zvino ikozvino kanganwirai henyu chivi changu nguva ino chete, uye nyengeterai kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu chete.
  1796. Exo 10:18 Zvino wakabuda kubva pana Farao, ndokunyengetera kuna Jehovha.
  1797. Exo 10:19 Zvino Jehovha wakadzosa mhepo ine simba kwazvo yekumavirira; iyo ndokusimudza mhashu, ndokudzipeperesera muGungwa Dzvuku; hakuna kusara mhashu imwe mumiganhu yose yeEgipita.
  1798. Exo 10:20 Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, zvekuti haana kurega vana vaIsraeri vaende.
  1799. Exo 10:21 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadzira ruoko rwako kumatenga, kuti kuve nerima pamusoro penyika yeEgipita; iro rima rinobatika.
  1800. Exo 10:22 Zvino Mozisi wakatandavadzira ruoko rwake kumatenga, kukava nerima-rima panyika yose yeEgipita mazuva matatu.
  1801. Exo 10:23 Havana kuonana, uye hakuna wakasimuka kubva panzvimbo yake mazuva matatu; asi kuvana vaIsraeri vose kwaiva kune chiedza kunzvimbo dzavo dzekugara.
  1802. Exo 10:24 Zvino Farao wakadana Mozisi ndokuti: Endai, mushumire Jehovha; koga makwai enyu nemombe dzenyu zvichachengetwa; vanana venyu ngavaendewo nemwi.
  1803. Exo 10:25 Mozisi ndokuti: Nemwiwo ipai muruoko rwedu zvibairo nezvipo zvinopiswa zvatichaitira Jehovha Mwari wedu.
  1804. Exo 10:26 Uyewo zvipfuwo zvedu zvichaenda nesu; hakungasari hwanda; nokuti tinotora kwazviri kushumira Jehovha Mwari wedu; nokuti isu hatizivi chatichashumira nacho Jehovha kusvika tasvikako.
  1805. Exo 10:27 Asi Jehovha wakaomesa moyo waFarao; uye haana kuda kuvarega vaende.
  1806. Exo 10:28 Zvino Farao wakati kwaari: Ibva pandiri; zvichenjerere; urege kuonazve chiso changu; nokuti nezuva raunoona chiso changu uchafa.
  1807. Exo 10:29 Mozisi ndokuti: Mataura zvakarurama; handichaoni chiso chenyu zvekarezve.
  1808. Exo 11:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ndichauisazve rimwe dambudziko pamusoro paFarao nepamusoro peEgipita; shure kweizvozvo achakuregai muende kubva pano; paacharega [mu]ende, zvirokwazvo achakudzingai mubve pano zvakazara.
  1809. Exo 11:2 Taura hako munzeve dzevanhu, kuti vakumbire, umwe neumwe kune wekwake, nemukadzi umwe neumwe kune wekwake, zvinhu zvesirivha nezvinhu zvegoridhe.
  1810. Exo 11:3 Zvino Jehovha wakapa vanhu nyasha pameso evaEgipita. Uye murume Mozisi wakava mukuru kwazvo munyika yeEgipita pameso evaranda vaFarao nepameso evanhu.
  1811. Exo 11:4 Zvino Mozisi wakati: Anoreva seizvi Jehovha: Panenge pakati peusiku ndichabudira pakati peEgipita;
  1812. Exo 11:5 zvino dangwe rose munyika yeEgipita richafa, kubva kudangwe raFarao richagara pachigaro chake cheushe, kusvika kudangwe remurandakadzi ari shure kweguyo, nedangwe rose rezvipfuwo.
  1813. Exo 11:6 Uye kuchava nekuchema kukuru munyika yose yeEgipita, kwakadaro sekusina kumbovapo, uye kwakadaro sekusingazovipozve.
  1814. Exo 11:7 Asi pavana vaIsraeri vose imbwa haingarodzi rurimi rwayo, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo; kuti muzive kuti Jehovha anoisa mutsauko pakati pevaEgipita naIsraeri.
  1815. Exo 11:8 Nevaranda vako vose ava vachaburukira kwandiri, vagondifugamira vachiti: Buda, iwe nerudzi rwose rwunokutevera. Uye shure kweizvozvi ndichabuda. Zvino wakabuda kubva kuna Farao mukupfuta kwekutsamwa.
  1816. Exo 11:9 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Farao haangakuteererii, kuti zvishamiso zvangu zviwande munyika yeEgipita.
  1817. Exo 11:10 Zvino Mozisi naAroni vakaita zvishamiso izvi zvose pamberi paFarao; asi Jehovha wakaomesa moyo waFarao, kuti asarega vana vaIsraeri vabude munyika yake.
  1818. Exo 12:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni munyika yeEgipita, achiti:
  1819. Exo 12:2 Mwedzi uno kwamuri kutanga kwemwedzi; uve kwamuri wekutanga wemwedzi yegore.
  1820. Exo 12:3 Taurai kuungano yose yaIsraeri, muchiti: Neregumi remwedzi uno vachazvitorera umwe neumwe gwayana zvichienderana neimba yemadzibaba, gwayana paimba.
  1821. Exo 12:4 Uye kana imba iri dikisa pagwayana, iye nemuvakidzani wake ari pedo paimba yake ngaatore zvichienderana neuwandu hwemweya yeupenyu; umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake, muchavaverengera gwayana.
  1822. Exo 12:5 Gwayana renyu richava risina charingapomerwa, mukono wegore rimwe; muchatora kubva pamakwai kana kubva pambudzi.
  1823. Exo 12:6 Zvino mucharichengeta kusvika zuva regumi nemana remwedzi uyu; zvino ungano yose yeboka raIsraeri ichariuraya madekwani.
  1824. Exo 12:7 Zvino vachatora paropa, vagoisa pamagwatidziro maviri nepachivivo padzimba mavacharidyira.
  1825. Exo 12:8 Zvino vachadya nyama muusiku uhu, yakagochwa nemoto, nezvingwa zvisina kuviriswa, nezvinovava, vachaidya.
  1826. Exo 12:9 Musadya pairi iri mbishi kana yakatongobikwa mumvura, asi yakagochwa nemoto, musoro waro pamwe nemakumbo aro uye nezvemukati zvaro.
  1827. Exo 12:10 Uye musasiya zvaro kusvika mangwanani; uye zvinosara zvaro kusvika mangwanani muchapisa nemoto.
  1828. Exo 12:11 Uye seizvi mucharidya; zviuno zvenyu zvakasungwa, shangu dzenyu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo yenyu muruoko rwenyu, uye mucharidya mukukurumidza; ipasika yaJehovha.
  1829. Exo 12:12 Nokuti ndichagura nemunyika yeEgipita usiku huno, uye ndicharova matangwe ose munyika yeEgipita, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo; uye ndichaita mitongo kuvamwari vose veEgipita; ini ndiri Jehovha.
  1830. Exo 12:13 Zvino ropa richava kwamuri chiratidzo padzimba mamuri; pandinoona ropa, ndichakupfuurai, uye dambudziko harichavi pamusoro penyu kukuparadzai pandinorova nyika yeEgipita.
  1831. Exo 12:14 Zvino zuva rino richava kwamuri chirangaridzo, uye mucharichengeta rive mabiko kuna Jehovha pamazera enyu, mucharichengeta chive chimiso rinhi narinhi.
  1832. Exo 12:15 Mazuva manomwe muchadya chingwa chisina kuviriswa; hongu, pazuva rekutanga muchabvisa mbiriso kubva mudzimba dzenyu; nokuti ani nani anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rekutanga kusvika zuva rechinomwe, mweya weupenyu uyo uchagurwa ubve kuna Israeri.
  1833. Exo 12:16 Uye nezuva rekutanga kune ungano yakadanwa tsvene; uye nezuva rechinomwe muchava neungano yakadanwa tsvene; mabasa ose ngaarege kuitwa maari; asi zvinodyiwa nemweya weupenyu umwe neumwe, izvozvo chete zvingaitwa nemwi.
  1834. Exo 12:17 Zvino muchachengetedza mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti nezuva irori ndakabudisa hondo dzenyu kubva panyika yeEgipita; naizvozvo muchachengetedza zuva iri mumazera enyu chive chimiso rinhi narinhi.
  1835. Exo 12:18 Mumwedzi wekutanga nezuva regumi nemana remwedzi madekwani muchadya chingwa chisina kuviriswa kusvika pazuva remakumi maviri nerimwe remwedzi madekwani.
  1836. Exo 12:19 Mazuva manomwe hakuwanikwi mbiriso mudzimba dzenyu; nokuti ani nani anodya chakaviriswa, mweya weupenyu uyowo uchagurwa kubva paungano yaIsraeri, kana angava mweni kana wekuberekwa munyika.
  1837. Exo 12:20 Musadya chinhu chakaviriswa; mumisha yenyu yose muchadya chingwa chisina kuviriswa.
  1838. Exo 12:21 Zvino Mozisi wakadana vakuru vose vaIsraeri, ndokuti kwavari: Kwevai muzvitorere gwayana zvichienderana nemhuri dzenyu, mugobaya pasika.
  1839. Exo 12:22 Zvino muchatora sumbu rehisopi, mugonyika muropa riri mubheseni, uye musvitse pachivivo nepamagwatidziro maviri neropa riri mubheseni; uye imwi hamungabudi panze, munhu kubva pamukova weimba yake, kusvika mangwanani.
  1840. Exo 12:23 Nokuti Jehovha achapfuura kurova vaEgipita; zvino paachaona ropa pachivivo, nemagwatidziro maviri, Jehovha achapfuura pamusoro pemukova uyu, uye haatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuti arove.
  1841. Exo 12:24 Zvino muchachengetedza chinhu ichi chive chimiso kwamuri nekuvanakomana venyu rinhi narinhi.
  1842. Exo 12:25 Zvino zvichaitika pamuchasvika kunyika Jehovha yaachakupai, sezvaakataura, kuti muchachengetedza kushumira uku.
  1843. Exo 12:26 Uye zvichaitika, vana venyu pavachati kwamuri: Kushumirai uku kwamunako?
  1844. Exo 12:27 Kuti muchati: Chibairo chepasika yaJehovha, iye wakapfuura pamusoro pedzimba dzevana vaIsraeri muEgipita, paakarova vaEgipita, ndokununura dzimba dzedu. Zvino vanhu vakakotama ndokunamata.
  1845. Exo 12:28 Zvino vana vaIsraeri vakaenda ndokuita Jehovha sezvaaiva araira Mozisi naAroni; vakaita saizvozvo.
  1846. Exo 12:29 Zvino zvakaitika kuti pakati peusiku Jehovha wakarova matangwe ose panyika yeEgipita, kubva kudangwe raFarao aizogara pachigaro chake cheushe kusvika padangwe remusungwa waiva ari muchitokisi, nematangwe ose ezvipfuwo.
  1847. Exo 12:30 Zvino Farao wakamuka muusiku, iye nevaranda vake vose nevaEgipita vose; zvino kwakava nekuchema kukuru muEgipita, nokuti hakuna imba maiva musina wakafa.
  1848. Exo 12:31 Zvino wakadana Mozisi naAroni pausiku, ndokuti: Simukai, ibvai pakati pevanhu vangu, zvose imwi nevana vaIsraeri, muendei mushumire Jehovha sekutaura kwenyu.
  1849. Exo 12:32 Toraiwo makwai enyu nemombe dzenyu sezvamakataura, muende; muropafadzewo neni.
  1850. Exo 12:33 VaEgipita ndokukurudzira vanhu, vachikurumidzisa kuvabudisa panyika, nokuti vakati: Tose tafa!
  1851. Exo 12:34 Vanhu ndokutora mukanyiwa wavo usati waviriswa, midziyo yavo yekukanyira yakasungirirwa munguvo dzavo pamafudzi avo.
  1852. Exo 12:35 Vana vaIsraeri ndokuita maererano neshoko raMozisi; ndokukumbira kuvaEgipita zvishongo zvesirivha nezvishongo zvegoridhe nenguvo.
  1853. Exo 12:36 Jehovha ndokupa vanhu nyasha pameso evaEgipita, kuti vavape; zvino vakapamba vaEgipita.
  1854. Exo 12:37 Zvino vana vaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi kuenda kuSukoti, vanenge varume mazana matanhatu ezvuru netsoka kusingaverengwi vana.
  1855. Exo 12:38 Nechaunga chevakasangana-sangana chakakwirawo navo, nemakwai nemombe, zvipfuwo zvizhinji-zhinji.
  1856. Exo 12:39 Zvino vakabika zvingwa zvisina kuviriswa pamukanyiwa wavaiva vabuda nawo kubva paEgipita, nokuti waiva usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muEgipita, uye vakasagona kunonoka, uye havana kuzvigadzirira mbuva.
  1857. Exo 12:40 Zvino nguva yekugara kwevana vaIsraeri yavakagara muEgipita yaiva iri makore mazana mana nemakumi matatu.
  1858. Exo 12:41 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore mazana mana nemakumi matatu, uye pazuva iroro zvakaitika kuti hondo dzose dzaJehovha dzakabuda kubva munyika yeEgipita.
  1859. Exo 12:42 Usiku hwemirindiro kuna Jehovha pakuvabudisa kubva munyika yeEgipita. Uhu usiku hwaJehovha hwemirindiro kuvana vose vaIsraeri mumazera avo.
  1860. Exo 12:43 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi naAroni: Ichi chimiso chepasika: Hakuna mweni angadya pairi.
  1861. Exo 12:44 Asi muranda umwe neumwe wemunhu wakatengwa nemari, kana wamudzingisa, ipapo achadya pairi.
  1862. Exo 12:45 Mutorwa uye mushandi wakahaiwa haangadyi pairi.
  1863. Exo 12:46 Ichadyirwa mumba imwe; usatakurira kunze kweimba zvenyama; uye usavhuna pfupa rayo.
  1864. Exo 12:47 Ungano yose yaIsraeri ichaiita.
  1865. Exo 12:48 Zvino kana mweni agere newe semutorwa achichengetedza pasika kuna Jehovha, vanhurume vake vose ngavadzingiswe, uye ipapo ngaaswedere aichengetedze; zvino achava sewakaberekwa panyika; nokuti hakuna asina kudzingiswa achadya pairi.
  1866. Exo 12:49 Murairo umwe uchava kune wakaberekerwa munyika nekumweni agere pakati penyu semutorwa.
  1867. Exo 12:50 Vana vose vaIsraeri vakaita izvi; Jehovha sezvaakaraira Mozisi naAroni, vakaita saizvozvo.
  1868. Exo 12:51 Zvino zvakaitika nezuva iroro, Jehovha wakabudisa vana vaIsraeri panyika yeEgipita nehondo dzavo.
  1869. Exo 13:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  1870. Exo 13:2 Ndiitirei mutsvene dangwe rose, rinozarura chizvaro chimwe nechimwe pakati pevana vaIsraeri, remunhu nerechipfuwo, nderangu.
  1871. Exo 13:3 Zvino Mozisi wakati kuvanhu: Rangarirai zuva rino ramakabuda naro muEgipita, kubva muimba yeuranda; nokuti nesimba reruoko Jehovha wakakubudisirai pano. Zvino ngakurege kudyiwa chingwa chakaviriswa.
  1872. Exo 13:4 Nezuva rino munobuda, mumwedzi waAbhibhi.
  1873. Exo 13:5 Zvino zvichava Jehovha paachakupinza munyika yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaHivhi nevaJebhusi yaakapikira kumadzibaba ako kukupa, nyika inoyerera mukaka neuchi, kuti uchachengetedza shumiro iyi nemwedzi uno.
  1874. Exo 13:6 Mazuva manomwe uchadya chingwa chisina kuviriswa; uye muzuva rechinomwe achava mabiko kuna Jehovha.
  1875. Exo 13:7 Chingwa chisina kuviriswa chichadyiwa mazuva manomwe; uye hakungaonekwi chakaviriswa kwauri; hongu, mbiriso haingaonekwi kwauri pamiganhu yako yose.
  1876. Exo 13:8 Zvino uchaudza mwanakomana wako nezuva iro uchiti: Nekuda kweizvo Jehovha zvaakaita kwandiri pandakabuda muEgipita.
  1877. Exo 13:9 Zvino chichava kwauri chiratidzo paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pemeso ako, kuti murairo waJehovha uve mumuromo mako; nokuti neruoko rune simba Jehovha wakakubudisa paEgipita.
  1878. Exo 13:10 Naizvozvo uchachengeta chimiso ichi nenguva yacho yakatarwa gore negore.
  1879. Exo 13:11 Zvino zvichava kana Jehovha akupinza kunyika yevaKenani, sezvaakakupikira iwe nekumadzibaba ako, kuti achaipa kwauri,
  1880. Exo 13:12 kuti uchapfuudzira kuna Jehovha chose chinozarura chizvaro, nechekutanga chose chibereko chezvipfuwo zvaunazvo; mikono ichava yaJehovha.
  1881. Exo 13:13 Nechekutanga chose chembongoro uchachidzikinura negwayana; uye kana usingachidzikinuri, zvino uchavhuna mutsipa wacho; nematangwe ose evanhu pakati pevanakomana vako uchadzikinura.
  1882. Exo 13:14 Zvino zvichava kana mwanakomana wako akakubvunza munguva inouya achiti: Chii ichi? kuti uchati kwaari: Nesimba reruoko Jehovha wakatibudisa kubva muEgipita, kubva paimba yeuranda.
  1883. Exo 13:15 Zvino zvakaitika Farao achiomesa kuti tiende, kuti Jehovha wakauraya dangwe rimwe nerimwe munyika yeEgipita, kubva kudangwe remunhu kusvika kudangwe rechipfuwo; naizvozvo ndinobaira kuna Jehovha chose chinozarura chizvaro, iri mikono; asi matangwe ose evanakomana vangu ndinodzikinura.
  1884. Exo 13:16 Zvino chichava chiratidzo pamusoro peruoko rwako nevundanyara pakati pemeso ako; nokuti nesimba reruoko Jehovha wakatibudisa kubva muEgipita.
  1885. Exo 13:17 Zvino zvakaitika Farao arega vanhu vaenda, kuti Mwari haana kuvatungamirira nenzira yenyika yevaFirisitia, kunyange yaiva pedo; nokuti Mwari wakati: Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona hondo, vakadzokera kuEgipita.
  1886. Exo 13:18 Asi Mwari wakapoteredza vanhu nenzira yerenje reGungwa Dzvuku. Zvino vana vaIsraeri vakakwira vachibva munyika yeEgipita vakashonga nhumbi dzekurwa.
  1887. Exo 13:19 Mozisi ndokutora mapfupa aJosefa kuenda nawo; nokuti waiva apikisa zvirokwazvo vana vaIsraeri achiti: Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai; uye muchakwira nemapfupa angu kubva pano.
  1888. Exo 13:20 Zvino vakasimuka kubva paSukoti, ndokuvaka misasa paEtamu, pamucheto werenje.
  1889. Exo 13:21 Jehovha ndokuvatungamirira pamasikati mushongwe yegore kuvatungamirira munzira, uye pausiku mushongwe yemoto kuvavhenekera, kuti vafambe masikati neusiku.
  1890. Exo 13:22 Haana kubvisa shongwe yegore pamasikati uye shongwe yemoto pausiku pamberi pevanhu.
  1891. Exo 14:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  1892. Exo 14:2 Taura kuvana vaIsraeri kuti vadzoke, vagovaka misasa pamberi pePi-Hahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaari-Zefoni; mhiri pakatarisana napo muvake misasa pagungwa.
  1893. Exo 14:3 Zvino Farao achati pavana vaIsraeri: Vanovhiringidzika munyika; renje ravavharira.
  1894. Exo 14:4 Zvino ndichaomesa moyo waFarao, kuti achavadzingirira; uye ndichakudzwa kuna Farao nekuhondo yake yose, kuti vaEgipita vazive kuti ndini Jehovha. Zvino vakaita saizvozvo.
  1895. Exo 14:5 Zvino zvakaudzwa mambo weEgipita kuti vanhu vatiza; uye moyo waFarao newevaranda vake ukashandukira vanhu, ivo ndokuti: Taitirei izvi, kuti tirege vaIsraeri vachienda kubva pakutishandira?
  1896. Exo 14:6 Zvino wakasunga ngoro yake, ndokutora vanhu vake naye.
  1897. Exo 14:7 Zvino wakatora ngoro dzakasarudzwa mazana matanhatu, nengoro dzose dzeEgipita, nevatariri pamusoro padzo dzose.
  1898. Exo 14:8 Jehovha ndokuomesa moyo waFarao mambo weEgipita, zvino wakadzingirira vana vaIsraeri; asi vana vaIsraeri vakabuda neruoko rwakakwirira.
  1899. Exo 14:9 Asi vaEgipita vakavadzingirira, mabhiza ose nengoro dzaFarao nevatasvi vake vemabhiza nehondo yake, ndokuvabata vakadzika misasa pagungwa, parutivi rwePi-Hahiroti pamberi peBhaari-Zefoni.
  1900. Exo 14:10 Farao wakati aswedera, vana vaIsraeri vakasimudza meso avo, zvino tarira, vaEgipita vachifamba vachivatevera; ivo ndokutya zvikuru; vana vaIsraeri ndokuchema kuna Jehovha.
  1901. Exo 14:11 Zvino vakati kuna Mozisi: Imhaka yekuti maiva musina makuva muEgipita here, kuti mutitore kuzofira murenje? Chii ichi chamatiitira, kutibudisa kubva muEgipita?
  1902. Exo 14:12 Harisi iro shoko iri ratakakuudzai muEgipita here tichiti: Tisiye kuti tishandire vaEgipita? Nokuti zvaiva nani kwatiri kushandira vaEgipita, pakuti tifire murenje.
  1903. Exo 14:13 Zvino Mozisi wakati kuvanhu: Musatya, mirai, mugoona ruponeso rwaJehovha, rwaachakuitirai nhasi; nokuti vaEgipita vamaona nhasi, hamuchazovaonizve rinhi narinhi.
  1904. Exo 14:14 Jehovha achakurwirai, asi imwi muchanyarara.
  1905. Exo 14:15 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Unochemerei kwandiri? Taura kuvana vaIsraeri kuti vaende mberi.
  1906. Exo 14:16 Asi iwe simudza tsvimbo yako, ugotandavadza ruoko rwako pamusoro pegungwa uritsemure, kuti vana vaIsraeri vafambe pasi pakaoma mukati megungwa.
  1907. Exo 14:17 Zvino ini, tarira, ndichaomesa moyo yevaEgipita, kuti vapinde shure kwavo; zvino ndichakudzwa kuna Farao nekuhondo yake yose, kungoro dzake nekuvatasvi vake vemabhiza.
  1908. Exo 14:18 Zvino vaEgipita vachaziva kuti ndiri Jehovha kana ndakudzwa kuna Farao, kungoro dzake, nekuvatasvi vake vemabhiza.
  1909. Exo 14:19 Zvino mutumwa waMwari waitungamirira hondo yaIsraeri wakabva ndokufamba shure kwavo; neshongwe yegore yakabva mberi kwechiso chavo ndokumira shure kwavo.
  1910. Exo 14:20 Zvino yakauya pakati pemusasa wevaEgipita nemusasa waIsraeri. Zvino yakava gore nerima, asi yakavhenekera pausiku, zvekuti hakuna wakaswedera kune umwe usiku hwose.
  1911. Exo 14:21 Zvino Mozisi wakatandavadza ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha ndokuendesa gungwa nemhepo ine simba yekumabvazuva usiku ihwohwo hwose, ikaita gungwa rive pasi pakaoma, mvura ndokuparadzaniswa.
  1912. Exo 14:22 Zvino vana vaIsraeri vakapinda mukati megungwa pasi pakaoma; mvura ndokuva mudhuri kwavari kurudyi rwavo nekuruboshwe rwavo.
  1913. Exo 14:23 Zvino vaEgipita vakavadzingirira, ndokupinda shure kwavo mukati megungwa, mabhiza aFarao ose, ngoro dzake, nevatasvi vake vemabhiza.
  1914. Exo 14:24 Zvino zvakaitika pamurindiro wemangwanani kuti Jehovha wakatarisa kuhondo yevaEgipita nemushongwe yemoto neyegore, akanyonganisa hondo yevaEgipita.
  1915. Exo 14:25 Zvino wakatendeusa mavhiri engoro dzavo kuti dziremerwe nekufamba, kusvika vaEgipita vati: Ngatitize kubva pachiso chaIsraeri, nokuti Jehovha anovarwira pavaEgipita.
  1916. Exo 14:26 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadza ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura idzokere pamusoro pevaEgipita, pamusoro pengoro dzavo, nepamusoro pevatasvi vavo vemabhiza.
  1917. Exo 14:27 Zvino Mozisi wakatandavadzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa ndokudzokera pakare koedza; vaEgipita ndokutiza kusangana naro; Jehovha ndokuzunzira vaEgipita mukati megungwa.
  1918. Exo 14:28 Zvino mvura yakadzokera ndokufukidza ngoro nevatasvi vemabhiza vehondo yose yaFarao yaiva yapinda mugungwa shure kwavo; hakuna kusara kunyange neumwe wavo.
  1919. Exo 14:29 Asi vana vaIsraeri vakafamba pasi pakaoma mukati megungwa; uye mvura yakava mudhuri kwavari kurudyi rwavo nekuruboshwe rwavo.
  1920. Exo 14:30 Saizvozvo Jehovha wakaponesa Israeri zuva iro kubva muruoko rwevaEgipita; uye Israeri wakaona vaEgipita vakafa pamahombekombe egungwa.
  1921. Exo 14:31 Zvino Israeri wakaona simba guru iri Jehovha raakaita pavaEgipita; vanhu ndokutya Jehovha, ndokutenda kuna Jehovha nekuna Mozisi muranda wake.
  1922. Exo 15:1 Ipapo Mozisi nevana vaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu; ndokutaura vachiti: Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka kwazvo. Bhiza nemutasvi waro wakakandira mugungwa.
  1923. Exo 15:2 Jehovha isimba rangu nerwiyo; wakavawo ruponeso kwandiri; uyu ndiMwari wangu, naizvozvo ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.
  1924. Exo 15:3 Jehovha murume wehondo; Jehovha izita rake.
  1925. Exo 15:4 Ngoro dzaFarao nehondo yake wakakandira mugungwa; nevatungamiriri vake vakasarudzwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.
  1926. Exo 15:5 Udzamu ukuru hwakavafukidza; vakaburukira munzvimbo dzakadzika sebwe.
  1927. Exo 15:6 Ruoko rwenyu rwerudyi, Jehovha, rwakakudzwa pasimba; ruoko rwenyu rwerudyi, Jehovha, rwunoputsanya muvengi.
  1928. Exo 15:7 Uye muukuru hwekukwirira kwenyu makaparadza vanokumukirai; munotuma kutsamwa kwenyu kunopfuta kunovapedza sezvitsinzinzi.
  1929. Exo 15:8 Uye nekufuridza kwemhino dzenyu mvura yakaitwa murwi; mafashame akamira semurwi; udziku ukuru hwakagwamba pamoyo wegungwa.
  1930. Exo 15:9 Muvengi wakati: Ndichadzingirira, ndichabata, ndichagovera zvakapambiwa; ruchiva rwangu rwuchagutswa pavari; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.
  1931. Exo 15:10 Makafuridza nemhepo yenyu; gungwa rakavafukidza; vakanyura semutobvu mumvura ine simba.
  1932. Exo 15:11 Ndiani wakaita semwi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndiani wakaita semwi munokudzwa pautsvene, munotyisa parumbidzo, muchiita zvishamiso?
  1933. Exo 15:12 Makatandavadza ruoko rwenyu rwerudyi; nyika yakavamedza.
  1934. Exo 15:13 Makatungamirira munyasha dzenyu rudzi rwamakadzikinura; makarairira nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene.
  1935. Exo 15:14 Marudzi akanzwa, anodedera; kurwadziwa kwakabata vagari veFirisitia.
  1936. Exo 15:15 Ipapo machinda eEdhomu akakanganiswa; vane masimba veMoabhu, kudedera kwakavabata; vagari vose veKenani vachanyauka.
  1937. Exo 15:16 Kutya nekuvhunduka kuchavawira; neukuru hweruoko rwenyu vachanyarara sebwe, kusvika rudzi rwenyu rwayambuka, Jehovha, kusvika rudzi rwenyu rwayambuka rwamakazvitengera.
  1938. Exo 15:17 Muchavapinza, nekuvasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo yamakazviitira kuva ugaro hwenyu, Jehovha, nzvimbo tsvene maoko enyu ayakamisa, Ishe.
  1939. Exo 15:18 Jehovha achatonga rinhi narinhi.
  1940. Exo 15:19 Nokuti bhiza raFarao rakapinda nengoro dzake uye nevatasvi vake vemabhiza mugungwa; Jehovha ndokudzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsraeri vakafamba pasi pakaoma mukati megungwa.
  1941. Exo 15:20 Zvino Miriamu muporofitakadzi hanzvadzi yaAroni wakatora gandira muruoko rwake, uye vakadzi vose vakabuda shure kwake vane makandira nekutamba.
  1942. Exo 15:21 Miriamu ndokuvapindura akati: Imbirai Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba. Bhiza nemutasvi waro wakakandira mugungwa.
  1943. Exo 15:22 Zvino Mozisi wakatungamirira Israeri kubva paGungwa Dzvuku, ndokubudira kurenje reShuri; ndokufamba mazuva matatu murenje, vakasawana mvura.
  1944. Exo 15:23 Vakati vasvika paMara, vakasagona kunwa mvura yeMara, nokuti yaivava; naizvozvo zita rayo rakanzi Mara.
  1945. Exo 15:24 Zvino vanhu vakan’un’unira Mozisi, vachiti: Tichanwei?
  1946. Exo 15:25 Iye ndokuchema kuna Jehovha; Jehovha ndokumuratidza muti, waakati akandira mumvura; mvura ikava inonaka. Ipapo akavaitira mutemo nechimiso, ndokuvaedza ipapo,
  1947. Exo 15:26 ndokuti: Kana muchiteerera kwazvo inzwi raJehovha Mwari wenyu, mukaita zvakarurama pameso ake, mukapa nzeve kumirairo yake, mukachengeta mitemo yake yose, handiisi pamusoro penyu utenda hwose uhu hwandakaisa pamusoro pevaEgipita, nokuti ndini Jehovha anokurapa.
  1948. Exo 15:27 Zvino vakasvika kuErimu, paiva pane matsime emvura gumi nemaviri, nemiti yemichindwe makumi manomwe; ndokuvakapo misasa pamvura.
  1949. Exo 16:1 Zvino vakabva paErimu parwendo rwavo; neungano yose yevana vaIsraeri yakasvika parenje reSini riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi nemashanu remwedzi wechipiri rekubuda kwavo panyika yeEgipita.
  1950. Exo 16:2 Zvino ungano yose yevana vaIsraeri ikagunun’unira Mozisi naAroni murenje.
  1951. Exo 16:3 Vana vaIsraeri ndokuti kwavari: Tingadai hedu takafa neruoko rwaJehovha munyika yeEgipita pakugara kwedu pahari yenyama, pataidya chingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.
  1952. Exo 16:4 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira, ndichakunisirai chingwa kubva kumatenga; zvino vanhu vachabuda ndokuunganidza chinhu chezuva muzuva racho, kuti ndivaidze kana vachifamba mumurairo wangu kana kwete.
  1953. Exo 16:5 Zvino zvichava nezuva retanhatu, kuti vachagadzira izvo zvavauya nazvo; uye zvichapamhidzirwa kaviri pane zviya zvavanounganidza zuva rimwe nerimwe.
  1954. Exo 16:6 Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsraeri vose: Madekwani zvino muchaziva kuti Jehovha wakakubudisai panyika yeEgipita.
  1955. Exo 16:7 Uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti wanzwa kugunun’una kwenyu muchipokana naJehovha. Zvino isu tiri chii zvamunotigunun’unira?
  1956. Exo 16:8 Mozisi ndokuti: Jehovha paachakupai nyama madekwani kuti mudye, nechingwa mangwanani kuti mugute, chikonzero chekuti Jehovha wakanzwa kugunun’una kwenyu kwamakamugunun’unira nako. Zvino isu tiri chii? Kugununu’na kwenyu ngakurege kuva kwatiri, asi kuna Jehovha.
  1957. Exo 16:9 Mozisi ndokuti kuna Aroni: Iti kuungano yose yevana vaIsraeri: Swederai pamberi paJehovha, nokuti wakanzwa kugunun’una kwenyu.
  1958. Exo 16:10 Zvino zvakaitika Aroni achitaura kuungano yose yevana vaIsraeri, kuti vakatendeukira kurenje, zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kunoonekwa mugore.
  1959. Exo 16:11 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:
  1960. Exo 16:12 Ndanzwa kugunun’una kwevana vaIsraeri; taura kwavari uchiti: Madekwani muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta chingwa; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
  1961. Exo 16:13 Zvino zvakaitika madekwani, kuti zvihuta zvakakwira ndokufukidza musasa; zvino mangwanani paiva nerukoko rwedova rwakapoteredza musasa.
  1962. Exo 16:14 Zvino murakatira wedova wakati wasimuka, zvino tarira, pachiso cherenje chinhu chidiki chakaurungana, chidiki sechando pasi.
  1963. Exo 16:15 Zvino vana vaIsraeri vakati vachichiona vakati umwe kune umwe: Imana? Nokuti vaiva vasingazivi kuti chii. Mozisi ndokuti kwavari: Ndicho chingwa Jehovha chaapa kwamuri kuti mudye.
  1964. Exo 16:16 Ichi chinhu Jehovha chaakaraira: Unganidzai pachiri umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake; omeri imwe pamusoro umwe, neuwandu hwemweya yeupenyu yenyu; umwe neumwe atorere vari mutende rake.
  1965. Exo 16:17 Vana vaIsraeri ndokuita saizvozvo, ndokuunganidza umwe zvizhinji umwewo zvishoma.
  1966. Exo 16:18 Zvino vakati vozviyera neomeri, waiva aunganidza zvizhinji wakava asina muraudzo, newaiva aunganidza zvishoma wakava asina kushaiwa chinhu; vakaunganidza, umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake.
  1967. Exo 16:19 Mozisi ndokuti kwavari: Kurege kuva nemunhu anosiya zvacho kusvika mangwanani.
  1968. Exo 16:20 Asi havana kuteerera Mozisi; asi vamwe vakasiya pazviri kusvika mangwanani; asi zvikabuda honye, zvikanhuhwa; Mozisi ndokuvatsamwira.
  1969. Exo 16:21 Zvino vakachiunganidza mangwanani oga-oga, umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake; kana zuva ropisa zvakanyunguduka.
  1970. Exo 16:22 Zvino zvakaitika pazuva retanhatu, kuti vaiunganidza chingwa chakapetwa kaviri, omeri mbiri paumwe; zvino vakuru vose veungano vakauya ndokuudza Mozisi.
  1971. Exo 16:23 Iye ndokuti kwavari: Ndizvo zvakataura Jehovha: Mangwana izororo, sabata dzvene kuna Jehovha; bhekai zvamuchabheka, bikai zvamuchabika; uye chose chinosara muchigadzike chichengetwe kusvika mangwanani.
  1972. Exo 16:24 Zvino vakachisiya kusvika mangwanani, Mozisi sezvaaiva araira; zvino hachina kunhuhwa, nehonye haina kuva pachiri.
  1973. Exo 16:25 Mozisi ndokuti: Idyai izvozvo nhasi, nokuti nhasi isabata kuna Jehovha. Nhasi hamuzviwani kusango.
  1974. Exo 16:26 Muchachiunganidza mazuva matanhatu; asi pazuva rechinomwe isabata; naro kuchava kusina.
  1975. Exo 16:27 Zvino zvakaitika nezuva rechinomwe kuti vamwe vevanhu vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana.
  1976. Exo 16:28 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemitemo yangu kusvika rinhi?
  1977. Exo 16:29 Onai, nokuti Jehovha wakakupai sabata, naizvozvo anokupai nezuva retanhatu chingwa chemazuva maviri; garai umwe neumwe panzvimbo yake; kurege kubuda munhu kubva panzvimbo yake nezuva rechinomwe.
  1978. Exo 16:30 Vanhu ndokuzorora nezuva rechinomwe.
  1979. Exo 16:31 Imba yaIsraeri ndokutumidza zita racho kuti mana; chaiva chakaita setsanga yekorianderi, chena; uye munakiro wacho wakafanana nechingwa chine uchi.
  1980. Exo 16:32 Zvino Mozisi wakati: Ndiro shoko Jehovha raakaraira: Zadzai omeri nayo ichengeterwe mazera enyu, kuti vaone chingwa chandakakudyisai murenje pakukubudisai kwangu munyika yeEgipita.
  1981. Exo 16:33 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni: Tora hari imwe uisemo omeri izere nemana, uiise pamberi paJehovha ichengeterwe mazera enyu.
  1982. Exo 16:34 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, saizvozvo Aroni wakaiisa pamberi pechipupuriro, kuti ichengetwe.
  1983. Exo 16:35 Zvino vana vaIsraeri vakadya mana makore makumi mana, kusvika vasvika panyika yaigarwa; vakadya mana kusvika vasvika pamuganhu wenyika yeKenani.
  1984. Exo 16:36 Zvino omeri ichegumi cheefa.
  1985. Exo 17:1 Zvino ungano yose yevana vaIsraeri yakasimuka kubva murenje reSini, nenzendo dzavo, zvichienderana nemurairo waJehovha, ndokudzika matende paRefidhimu; asi paiva pasina mvura kuti vanhu vanwe.
  1986. Exo 17:2 Vanhu ndokurwisana naMozisi, ndokuti: Tipe mvura tigonwa. Mozisi ndokuti kwavari: Chii chamunorwira neni? Chii chamunoidzira Jehovha?
  1987. Exo 17:3 Zvino vanhu vakava nenyota yemvura ipapo, vanhu ndokugunun’unira Mozisi, ndokuti: Wakatikwidzirei kubva muEgipita kuti utiuraye nevana vedu nezvipfuwo zvedu nenyota?
  1988. Exo 17:4 Mozisi ndokuchema kuna Jehovha achiti: Ndichaitei kuvanhu ava? Kwasara padiki kuti vanditake nemabwe.
  1989. Exo 17:5 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Darikira pamberi pevanhu, utore pamwe newe vakuru vaIsraeri, uye utore muruoko rwako tsvimbo yako yawakarova rwizi nayo, uende.
  1990. Exo 17:6 Tarira, ndichamira pamberi pako ipapo padombo paHorebhu; zvino ucharova dombo, mvura ndokubuda pariri, vanhu ndokunwa. Zvino Mozisi wakaita saizvozvo pamberi pemeso evakuru vaIsraeri.
  1991. Exo 17:7 Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Masa uye Meribha, nekuda kwekukakavara kwevana vaIsraeri, uye nekuda kwekuidza kwavo Jehovha vachiti: Jehovha ari pakati pedu here kana kwete?
  1992. Exo 17:8 Zvino Amareki wakauya ndokurwa naIsraeri muRefidhimu.
  1993. Exo 17:9 Zvino Mozisi wakati kuna Joshua: Tisarudzire varume, ugobuda unorwa naAmareki. Mangwana ndichamira pamusoro wechikomo, uye tsvimbo yaMwari ichava muruoko rwangu.
  1994. Exo 17:10 Joshua ndokuita sezvakataura Mozisi kwaari, kurwa naAmareki. Zvino Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro wechikomo.
  1995. Exo 17:11 Zvino zvakaitika Mozisi paaisimudza ruoko rwake, kuti Israeri waiva nesimba, uye paaidzikisa ruoko rwake, Amareki waiva nesimba.
  1996. Exo 17:12 Asi maoko aMozisi akarema; zvino vakatora ibwe ndokuisa pasi pake, iye ndokugara pamusoro paro. Aroni naHuri ndokutsigira maoko ake, umwe kurutivi rwuno, umwe kurutivi irwo; maoko ake ndokusimba kusvika pakuvira kwezuva.
  1997. Exo 17:13 Joshua ndokupedza simba Amareki nevanhu vake nemuromo wemunondo.
  1998. Exo 17:14 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Nyora izvi mubhuku chive chirangaridzo, zvino uise munzeve dzaJoshua, kuti ndichadzima kwazvo chiyeuchidzo chaAmareki kubva pasi pematenga.
  1999. Exo 17:15 Mozisi ndokuvaka aritari, ndokutumidza zita rayo: Jehovha ndiye mureza wangu.
  2000. Exo 17:16 Ndokuti: Nokuti ruoko rwuri pachigaro cheushe chaJehovha, Jehovha achava nehondo naAmareki kubva kuzera kusvika kuzera.
  2001. Exo 18:1 Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMozisi, wakati anzwa zvose Jehovha zvaakaitira Mozisi naIsraeri vanhu vake, kuti Jehovha wakabudisa Israeri kubva muEgipita,
  2002. Exo 18:2 Jeturo mukarahwa waMozisi ndokutora Zipora mukadzi waMozisi shure kwekunge amudzosera,
  2003. Exo 18:3 nevanakomana vake vaviri, avo zita reumwe raiva Gerishomu, nokuti wakati: Ndaiva mweni panyika yeutorwa;
  2004. Exo 18:4 nezita reumwe raiva Eriazari, nokuti wakati: Mwari wababa vangu waiva ari mubatsiri wangu, uye wakandinunura pamunondo waFarao.
  2005. Exo 18:5 Jeturo mukarahwa waMozisi ndokuuya kuna Mozisi ane vanakomana vake nemukadzi wake murenje, paaiva akavaka musasa, pagomo raMwari.
  2006. Exo 18:6 Zvino wakati kuna Mozisi: Ini mukarahwa wako Jeturo ndauya kwauri, nemukadzi wako nevanakomana vake vaviri vanaye.
  2007. Exo 18:7 Mozisi ndokubuda kunochingamidza mukarahwa wake, ndokukotama, ndokumutsvoda. Zvino vakabvunzana upenyu, ndokupinda mutende.
  2008. Exo 18:8 Zvino Mozisi wakaudza mukarahwa wake zvose Jehovha zvaakaitira Farao nevaEgipita nekuda kwaIsraeri, dambudziko rose rakavawira panzira, Jehovha ndokuvanunura.
  2009. Exo 18:9 Jeturo ndokufara pamusoro pezvakanaka zvose Jehovha zvaaiva aitira Israeri waaiva anunura kubva paruoko rwevaEgipita.
  2010. Exo 18:10 Jeturo ndokuti: Jehovha ngaarumbidzwe iye wakakununurai kubva paruoko rwevaEgipita, nekubva paruoko rwaFarao, iye wakanunura vanhu kubva pasi peruoko rwevaEgipita.
  2011. Exo 18:11 Ikozvino ndaziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwari vose, nokuti pachinhu chavakazvitutumadza nacho waiva pamusoro pavo.
  2012. Exo 18:12 Zvino Jeturo, mukarahwa waMozisi, wakatora chipo chinopiswa nezvibairo kuna Mwari; Aroni ndokupinda pamwe nevakuru vose vaIsraeri kuzodya chingwa nemukarahwa waMozisi pamberi paMwari.
  2013. Exo 18:13 Zvino zvakaitika chifume, kuti Mozisi wakagara kutonga vanhu; vanhu ndokumira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvika madekwani.
  2014. Exo 18:14 Mukarahwa waMozisi wakati achiona zvose zvaaiitira vanhu, wakati: Chii ichi chaunoitira vanhu? Unogarirei woga, vanhu vose vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvika madekwani?
  2015. Exo 18:15 Mozisi ndokuti kumukarahwa wake: Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza kuna Mwari.
  2016. Exo 18:16 Kana vane nyaya vanouya kwandiri; uye ndinotonga pakati peuyu neumwe, uye ndinozivisa mitemo yaMwari nemirairo yake.
  2017. Exo 18:17 Zvino mukarahwa waMozisi wakati kwaari: Chinhu chaunoita hachina kunaka.
  2018. Exo 18:18 Zvirokwazvo uchaneta, zvose iwe nevanhu ava vaunavo; nokuti chinhu ichi chinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuchiita pachako woga.
  2019. Exo 18:19 Teerera ikozvino kuinzwi rangu, ndichakupa zano, uye Mwari achava newe. Iwe iva wevanhu kuna Mwari, uye iwe uise nyaya dzavo kuna Mwari;
  2020. Exo 18:20 uye uchavadzidzisa mitemo nemirairo, ugovazivisa nzira yavanofamba nayo, nebasa ravanoita.
  2021. Exo 18:21 Zvino iwe uone kubva pakati pevanhu vose varume vane simba, vanotya Mwari, varume vechokwadi, vanovenga mubairo usakarurama; uvaise pamusoro pavo, vave vatungamiriri vezvuru, vatungamiriri vemazana, vatungamiriri vemakumi mashanu, nevatungamiriri vemakumi;
  2022. Exo 18:22 kuti vatonge vanhu nguva dzose; zvino zvichaitika kuti nyaya huru imwe neimwe vachaiuisa kwauri, asi nyaya imwe neimwe diki ivo ngavaitonge; zvino iwe uchazvirerusira, uye vachatakudzana newe.
  2023. Exo 18:23 Kana uchiita chinhu ichi, Mwari achakurairawo, zvino iwe uchagona kumira, nevanhu ava vose vachaendawo kunzvimbo yavo nerugare.
  2024. Exo 18:24 Mozisi ndokuteerera kuinzwi remukarahwa wake, ndokuita zvose zvaaiva ataura.
  2025. Exo 18:25 Mozisi ndokusarudza varume vane simba kubva kuna Israeri wose, ndokuvaita vatungamiriri pamusoro pevanhu, vatungamiriri vezvuru, vatungamiriri vemazana, vatungamiriri vemakumi mashanu, nevatungamiriri vemakumi.
  2026. Exo 18:26 Zvino vakatonga vanhu nguva dzose; nyaya dzakaoma ndokudziuisa kuna Mozisi, asi nyaya imwe neimwe diki vaitonga vomene.
  2027. Exo 18:27 Zvino Mozisi wakarega mukarahwa akaenda; zvino akaenda kunyika yekwake.
  2028. Exo 19:1 Mumwedzi wechitatu shure kwekunge vana vaIsraeri vabuda kubva munyika yeEgipita, nezuva iroro vakasvika murenje reSinai.
  2029. Exo 19:2 Vakati vabva paRefidhimu, ndokusvika murenje reSinai, ndokudzika misasa murenje; Israeri ndokudzikapo misasa pamberi pegomo.
  2030. Exo 19:3 Zvino Mozisi wakakwira kuna Mwari. Jehovha ndokumudanidzira ari mugomo achiti: Uchataura saizvozvo kuimba yaJakove, ugoudza vana vaIsraeri, uti:
  2031. Exo 19:4 Imwi makaona zvandakaita kuvaEgipita, uye kuti ndakakutakurai pamapapiro emakondo, ndikakuunzai kwandiri.
  2032. Exo 19:5 Naizvozvo ikozvino kana mukateerera zvekuteerera kuinzwi rangu, uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava fuma yakasanangurwa kwandiri kupfuura marudzi ose, nokuti nyika yose ndeyangu.
  2033. Exo 19:6 Nemwi muchava kwandiri ushe hwevapristi, uye rudzi rutsvene. Awa ndiwo mashoko auchaudza kuvana vaIsraeri.
  2034. Exo 19:7 Mozisi ndokuuya ndokudana vakuru vevanhu, ndokuisa pamberi pavo mashoko awa ose, Jehovha aaiva amuraira.
  2035. Exo 19:8 Vanhu vose ndokupindura pamwe chete ndokuti: Zvose Jehovha zvaataura tichaita. Mozisi ndokudzorera mashoko evanhu kuna Jehovha.
  2036. Exo 19:9 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagokutenda kusvika rinhi narinhi. Mozisi ndokuudza Jehovha mashoko evanhu.
  2037. Exo 19:10 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Enda kuvanhu, ugovaita vatsvene nhasi namangwana, uye vasuke nguvo dzavo,
  2038. Exo 19:11 uye vakagadzirira zuva retatu, nokuti pazuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pemeso evanhu vose pamusoro pegomo reSinai.
  2039. Exo 19:12 Zvino uisire vanhu muganhu mativi ose, uchiti: Zvichenjererei kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani nani anobata gomo achaurawa zvekuurawa.
  2040. Exo 19:13 Hakuna ruoko rwucharibata, asi achatakwa nemabwe zvirokwazvo, kana kupfurwa-pfurwa; ingava mhuka, kana munhu, hachingararami; apo hwamanda ichiramba ichirira, ivo vachakwira mugomo.
  2041. Exo 19:14 Zvino Mozisi wakaburuka mugomo kuenda kuvanhu, ndokuita vanhu vave vatsvene; zvino vakasuka nguvo dzavo.
  2042. Exo 19:15 Zvino wakati kuvanhu: Gadzirirai zuva retatu; musaswedera kumukadzi.
  2043. Exo 19:16 Zvino zvakaitika pazuva retatu kwaedza kuti kwakava nemitinhiro nemheni uye gore rinorema pamusoro pegomo, nenzwi rehwamanda rine simba kwazvo; vanhu vose vaiva vari mumusasa ndokudedera.
  2044. Exo 19:17 Zvino Mozisi wakabudisa vanhu kubva mumusasa kuchingamidza Mwari; zvino vakamira muzasi megomo.
  2045. Exo 19:18 Zvino gomo rose reSinai raipfungaira, nokuti Jehovha wakaburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ndokukwira seutsi hwevira; gomo rose ndokudengenyeka kwazvo.
  2046. Exo 19:19 Zvino inzwi rehwamanda rakati richiramba richisimba kwazvo, Mozisi wakataura, Mwari ndokumupindura nenzwi.
  2047. Exo 19:20 Jehovha ndokuburukira pagomo reSinai, pamusoro pegomo; Jehovha ndokudanira Mozisi pamusoro pegomo; Mozisi ndokukwira.
  2048. Exo 19:21 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Buruka, raira vanhu zvimwe vangapazira kuna Jehovha kuona, vazhinji vavo ndokuwa.
  2049. Exo 19:22 Nevapristiwo vanoswedera kuna Jehovha ngavazviite vatsvene, zvimwe Jehovha angavamukira.
  2050. Exo 19:23 Mozisi ndokuti kuna Jehovha: Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti imwi makatiyambira, muchiti: Isai miganhu pagomo muriite dzvene.
  2051. Exo 19:24 Jehovha ndokuti kwaari: Enda uburuke, ukwirezve, iwe naAroni anewe; asi vapristi nevanhu ngavarege kupazira kukwira kuna Jehovha, zvimwe angavamukira.
  2052. Exo 19:25 Mozisi ndokuburukira kuvanhu, ndokuvaudza.
  2053. Exo 20:1 Zvino Mwari wakataura mashoko awa ose, achiti:
  2054. Exo 20:2 Ndini Jehovha Mwari wako wakakubvisa munyika yeEgipita, kubva muimba yeuranda.
  2055. Exo 20:3 Usava nevamwe vamwari pamberi pangu.
  2056. Exo 20:4 Usazviitira chifananidzo chakavezwa, kana mufananidzo upi wechiri kumatenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
  2057. Exo 20:5 Usazvikotamira, usazvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinoverengera kuipa kwemadzibaba pavana, kusvika kurudzi rwechitatu nerwechina rwevanondivenga,
  2058. Exo 20:6 asi ndichiitira nyasha zvuru zvevanondida, uye zvevanochengeta mirairo yangu.
  2059. Exo 20:7 Usatora zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangamuregi asina mhosva iye anotora zita rake pasina.
  2060. Exo 20:8 Rangarira zuva resabata, kurichengeta rive dzvene.
  2061. Exo 20:9 Mazuva matanhatu uchashanda, uye uite mabasa ako ose;
  2062. Exo 20:10 asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usabata chero basa ripi, iwe, nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, muranda wako, nemurandakadzi wako, nezvipfuwo zvako, nemweni wako ari mukati memasuwo ako.
  2063. Exo 20:11 Nokuti nemazuva matanhatu Jehovha wakaita matenga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri, ndokuzorora zuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva resabata, akariita dzvene.
  2064. Exo 20:12 Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako arebe panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.
  2065. Exo 20:13 Usauraya.
  2066. Exo 20:14 Usapomba.
  2067. Exo 20:15 Usaba.
  2068. Exo 20:16 Usapupurira wekwako uchapupu hwenhema.
  2069. Exo 20:17 Usachiva imba yewekwako, usachiva mukadzi wewekwako, nemuranda wake, nemurandakadzi wake, nenzombe yake, nembongoro yake, uye kana chii chewekwako.
  2070. Exo 20:18 Vanhu vose ndokuona mitinhiro, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira; vanhu vakati vazviona, vakadedera, vakamira kure.
  2071. Exo 20:19 Zvino vakati kuna Mozisi: Imwi taurai nesu, uye tichanzwa; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, zvimwe tingafa.
  2072. Exo 20:20 Mozisi ndokuti kuvanhu: Musatya; nokuti Mwari wauya kuti akuidzei, uye kuti kumutya kuve pamberi pezviso zvenyu, kuti murege kutadza.
  2073. Exo 20:21 Vanhu ndokumira kure; asi Mozisi wakaswedera kurima guru kwaiva kuna Mwari.
  2074. Exo 20:22 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Uchareva seizvi kuvana vaIsraeri: Imwi makaona kuti ndakataura nemwi ndiri kumatenga.
  2075. Exo 20:23 Musaita pamwe neni vamwari vesirivha, uye musazviitira vamwari vegoridhe.
  2076. Exo 20:24 Undiitire aritari yevhu, ugobaira pamusoro payo zvipo zvako zvinopiswa nezvipo zvako zvekuyananisa, makwai ako nenzombe dzako. Panzvimbo imwe neimwe pandichaita zita rangu rirangarirwe ndichauya kwauri ndigokuropafadza.
  2077. Exo 20:25 Asi kana ukandiitira aritari yemabwe, urege kuivaka nemabwe akavezwa; kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro paro, warisvibisa.
  2078. Exo 20:26 Rega kukwirawo kuaritari yangu nemitanho, kuti kushama kwako kurege kufukurwa pamusoro payo.
  2079. Exo 21:1 Iyi ndiyo mitongo yauchaisa pamberi pavo:
  2080. Exo 21:2 Kana uchitenga muranda muHebheru, achashanda makore matanhatu, asi nerechinomwe achabuda akasununguka pasina muripo.
  2081. Exo 21:3 Kana achipinda ari oga, achabuda ari oga; kana akaroora, zvino mukadzi wake achabuda naye.
  2082. Exo 21:4 Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye ndokumuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi nevana vake vachava vatenzi wake, iye achabuda ari oga.
  2083. Exo 21:5 Asi kana muranda akati zvirokwazvo: Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu, nevana vangu, handibudi ndakasununguka;
  2084. Exo 21:6 ipapo tenzi wake achamuuisa kuvatongi, achamuuisawo kumukova, kana kugwatidziro; zvino tenzi wake achaboora nzeve yake nerunji; zvino achamushandira nekusingaperi.
  2085. Exo 21:7 Zvino kana munhu akatengesa mukunda wake kuva murandakadzi, iye haangabudi sekubuda kwevarandarume.
  2086. Exo 21:8 Kana akaipa pameso atenzi wake akazvimisira iye, ipapo anoita kuti adzikunurwe; haangavi nesimba rekumutengesa kurudzi rwevatorwa, sezvo akamubata nekunyengedza.
  2087. Exo 21:9 Zvino kana akamisirwa mwanakomana wake, achamuitira sezvakafanira vakunda.
  2088. Exo 21:10 Kana akazvitorera umwe, haangatapudzi kudya kwake, nguvo yake, kana bonde rake.
  2089. Exo 21:11 Zvino kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, ipapo achabuda pachena pasina mari.
  2090. Exo 21:12 Anorova munhu kusvika afa, achaurawa kufa.
  2091. Exo 21:13 Asi kana munhu asina kuvandira, asi Mwari amukumikidza muruoko rwake, ipapo ndichakutarira nzvimbo kwaachatizira.
  2092. Exo 21:14 Asi kana munhu akaitira maune wekwake kuti amuuraye nekunyengera, achamubvisa paaritari yangu kuti afe.
  2093. Exo 21:15 Zvino anorova baba vake kana mai vake, achaurawa kufa.
  2094. Exo 21:16 Neanoba munhu, akamutengesa, kana akawanikwa ari muruoko rwake, achaurawa kufa.
  2095. Exo 21:17 Neanotuka baba vake kana mai vake, achaurawa kufa.
  2096. Exo 21:18 Zvino kana vanhu vakarwisana, umwe akarova umwe nebwe kana nechibhakera, uye akasafa, asi akawira panhovo;
  2097. Exo 21:19 kana akasimuka, akafamba panze nemudonzvo wake, ipapo wakarova achava wakachena; koga acharipa kurasikirwa kwake, uye achamurapisa kwazvo.
  2098. Exo 21:20 Uye kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake netsvimbo, ndokufira pasi peruoko rwake, achatsiviwa zvekutsiviwa.
  2099. Exo 21:21 Zvakadaro kana akamira zuva kana mazuva maviri, haangatsiviwi; nokuti iye imari yake.
  2100. Exo 21:22 Uye kana varume vachirwa, ndokurova mukadzi ane mimba kusvika mwana abuda, asi pasina njodzi, iye acharipiswa zvekuripiswa, sezvatara murume wemukadzi uyo kwaari, uye achapa kubudikidza nevatongi.
  2101. Exo 21:23 Asi kana pachinge pane njodzi, zvino achapa upenyu pachinzvimbo cheupenyu,
  2102. Exo 21:24 ziso pachinzvimbo cheziso, zino pachinzvimbo chezino, ruoko pachinzvimbo cheruoko, rutsoka pachinzvimbo cherutsoka,
  2103. Exo 21:25 kupiswa pachinzvimbo chekupiswa, vanga pachinzvimbo chevanga, ronda pachinzvimbo cheronda.
  2104. Exo 21:26 Zvino kana munhu akarova ziso remuranda wake, kana ziso remurandakadzi wake, akariparadza, achamurega aende akasununguka nekuda kweziso rake.
  2105. Exo 21:27 Zvino kana akagumura zino remuranda wake kana zino remurandakadzi wake, achamurega aende akasununguka nekuda kwezino rake.
  2106. Exo 21:28 Uye kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, ndokufa, nzombe ichatakwa zvekutakwa nemabwe, nenyama yayo haingadyiwi; asi muridzi wenzombe achava wakasununguka.
  2107. Exo 21:29 Asi kana nzombe yakajaira kutunga zuro namarimwezuro, uye muridzi wayo akapupurirwa, asi akasaichengeta, zvino ikauraya murume kana mukadzi, nzombe ichatakwa nemabwe, uye nemuridzi wayo achaurawa.
  2108. Exo 21:30 Kana rudzikunuro rwaiswa pamberi pake, zvino achapa muripo weupenyu hwake, sechose chaiswa pamberi pake.
  2109. Exo 21:31 Kana ikatunga mwanakomana kana ikatunga mwanasikana, zvichaitwa kwaari sepamutongo uyu.
  2110. Exo 21:32 Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, achapa tenzi wake mashekeri esirivha makumi matatu, uye nzombe ichatakwa nemabwe.
  2111. Exo 21:33 Uye kana munhu akazarura gomba, uye kana munhu akachera gomba, ndokusarivhara, nzombe kana mbongoro ndokuwiramo,
  2112. Exo 21:34 muridzi wegomba acharipa; ndokudzosera mari kumuridzi wayo; asi chakafa chichava chake.
  2113. Exo 21:35 Zvino kana nzombe yemunhu ikakuvadza nzombe yewekwake kusvika yafa, ipapo vachatengesa nzombe mhenyu ndokugovana mari yayo, neyakafawo vachagovana.
  2114. Exo 21:36 Uye kana zvichizikanwa zuro namarimwezuro kuti nzombe iyo yakajaira kutunga, muridzi wayo ndokusaichengeta, zvirokwazvo acharipa nzombe pachinzvimbo chenzombe; asi yakafa ichava yake.
  2115. Exo 22:1 Kana munhu akaba nzombe kana gwai, ndokuriuraya kana kuritengesa, acharipa nzombe shanu panzombe, nemakwai mana pagwai.
  2116. Exo 22:2 Kana mbavha ikawanikwa ichipaza, ndokurohwa kusvika yafa, hapana mhosva yeropa kwaari.
  2117. Exo 22:3 Kana zuva ramubudira, achava nemhosva yeropa. Anofanira kuripa; kana asina chinhu achatengeswa nekuda kwekuba kwake.
  2118. Exo 22:4 Kana chakabiwa chikawanikwa zvekuwanikwa muruoko rwake chiri chipenyu, ingava nzombe, kana mbongoro, kana gwai, acharipa kaviri.
  2119. Exo 22:5 Kana munhu akadyisa munda kana munda wemizambiringa, akapinza zvipfuwo zvake ndokunodya mumunda weumwe, acharipa pazvakanakisisa zvemunda wake, nepazvakanakisisa zvemunda wake wemizambiringa.
  2120. Exo 22:6 Kana moto ukadauka ukabata minzwa kusvika kwapiswa murwi wezviyo kana zviyo zvimire kana munda, wakatungidza moto acharipa zvekuripa.
  2121. Exo 22:7 Kana munhu achipa wekwake mari kana nhumbi kuti achengete, zvino zvikabiwa kubva mumba memunhu uyu, kana mbavha ikawanikwa ngaaripe kakapetwa kaviri.
  2122. Exo 22:8 Kana mbavha ikasawanikwa, ipapo muridzi weimba achaswededzwa kuvatongi, zvionekwe kana asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzewekwake.
  2123. Exo 22:9 Pashoko rimwe nerimwe rekudarika, panzombe, pambongoro, pagwai, pachekupfeka, pachinhu chipi nechipi chakarasika, munhu achireva kuti ndechake, shoko ravo vari vaviri richaenda kuvatongi; vatongi vachapa mhosva uyo acharipa kakapetwa kaviri kune wekwake.
  2124. Exo 22:10 Kana munhu achipa wekwake mbongoro kana nzombe kana gwai kana chimwe chipfuwo kuti achengete, icho ndokufa kana kukuvara kana kutinhwa pasina anoona;
  2125. Exo 22:11 mhiko yaJehovha ichava pakati pavo vari vaviri, zvionekwe kana asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzewekwake; zvino muridzi wazvo achagamuchira; haangaripi.
  2126. Exo 22:12 Asi kana zvikabiwa zvirokwazvo kwaari, acharipa kumuridzi wazvo.
  2127. Exo 22:13 Kana zvikabvamburwa-bvamburwa, ngaauye nazvo zvive uchapupu; haangaripi zvakabvamburwa.
  2128. Exo 22:14 Zvino kana munhu akakwereta kune wekwake, icho ndokukuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, ucharipa zvekuripa.
  2129. Exo 22:15 Kana muridzi wacho anacho, haangaripi; kana chiri chinhu chakahaiwa, chavinga kuhaiwa kwacho.
  2130. Exo 22:16 Zvino kana munhu akanyengedzera musikana asina kutsidzira kuroorwa, ndokurara naye, zvirokwazvo achamuroora ave mukadzi wake.
  2131. Exo 22:17 Kana baba vake vakaramba zvekuramba kumupa iye, acharipa mari yakaenzana neroora yemhandara.
  2132. Exo 22:18 Usarega muroyikadzi kuti ararame.
  2133. Exo 22:19 Ani nani anorara nechipfuwo achaurawa zvirokwazvo.
  2134. Exo 22:20 Anobaira vamwari kunze kwaJehovha chete achaparadzwa chose.
  2135. Exo 22:21 Usadzvinyirira mutorwa kana kumumanikidza, nokuti maiva vatorwa munyika yeEgipita.
  2136. Exo 22:22 Usatambudza chero chirikadzi kana nherera.
  2137. Exo 22:23 Kana ukavatambudza zvekuvatambudza, zvirokwazvo kana vakadana kwazvo kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kudana kwavo;
  2138. Exo 22:24 zvino hasha dzangu dzichapfuta ndigokuurayai nemunondo; zvino vakadzi venyu vachava chirikadzi nevana venyu nherera.
  2139. Exo 22:25 Kana uchikweretesa mari kuvanhu vangu varombo vari pauri, usazviita semukweretesi kwaari; usaisa pamusoro pake zvibereko.
  2140. Exo 22:26 Kana ukatongotora nguvo yewekwako chive chibatiso, uidzosere kwaari zuva risati ravira;
  2141. Exo 22:27 nokuti ndicho chifukidzo chake choga, inguvo yake yeganda rake; acharara pai? Zvino zvichaitika kana akadana kwandiri, ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi.
  2142. Exo 22:28 Usashora Mwari, uye usatuka mubati pakati pevanhu vako.
  2143. Exo 22:29 Usanonosa chibereko chakazara nemuto wenyu wezvibereko; dangwe revanakomana venyu uchapa kwandiri.
  2144. Exo 22:30 Uite saizvozvo nenzombe dzako uye nemakwai ako; richava namai varo mazuva manomwe; nezuva rerusere ucharipa kwandiri.
  2145. Exo 22:31 Zvino muchava vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo musadya nyama yakabvamburwa nezvikara musango; muchaikandira kuimbwa.
  2146. Exo 23:1 Usamutsa shoko renhema. Usaisa ruoko rwako pamwe newakaipa kuti uve chapupu chisakarurama.
  2147. Exo 23:2 Usatevera vazhinji pane zvakaipa. Uye usataura panyaya kurerekera kuvazhinji kuti utsause.
  2148. Exo 23:3 Nemurombo usamupembedza pamhosva yake.
  2149. Exo 23:4 Kana ukasangana nenzombe yemuvengi wako kana mbongoro yake yakarasika, zvirokwazvo uchaidzosera kwaari.
  2150. Exo 23:5 Kana ukaona mbongoro yeanokuvenga irere pasi pemutoro wayo, ungarega kuisunungura here? Uchasunungura zvekusunungura iyo naiye.
  2151. Exo 23:6 Usatsausa mutongo wemurombo wako pamhosva yake.
  2152. Exo 23:7 Iva kure nenyaya yenhema, uye usauraya asina mhosva newakarurama, nokuti handingaruramisiri wakaipa.
  2153. Exo 23:8 Uye usatora fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nekutsausa mashoko evakarurama.
  2154. Exo 23:9 Uye usadzvinyirira mutorwa, nokuti imwi munoziva mweya weupenyu wemutorwa, zvamaiva muri vatorwa munyika yeEgipita.
  2155. Exo 23:10 Zvino makore matanhatu uchadzvara munda wako, uye uunganidze zvibereko zvawo.
  2156. Exo 23:11 Asi nerechinomwe uchauzorodza nekuurega urare, kuti varombo verudzi rwako vadye, nezvavanosiya mhuka dzesango dzichadya. Saizvozvo uite nemunda wako wemizambiringa uye nemunda wako wemiorivhi.
  2157. Exo 23:12 Mazuva matanhatu uchaita mabasa ako, uye nezuva rechinomwe uchazorora, kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nemwanakomana wemurandakadzi wako nemutorwa vambofema.
  2158. Exo 23:13 Zvino pazvinhu zvose zvandakakuudzai muzvichenjerere; uye musareva zita revamwe vamwari; hazvinganzwikwi kubva mumuromo wako.
  2159. Exo 23:14 Katatu pagore uchandichengetedzera mutambo.
  2160. Exo 23:15 Uchachengetedza mutambo wechingwa chisina kuviriswa; uchadya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe sezvandakakuraira, panguva yakatarwa yemwedzi Abhibhi; nokuti nawo wakabuda muEgipita; zvino havangaonekwi pamberi pangu vasina chinhu;
  2161. Exo 23:16 uye mutambo wekukohwa, zvibereko zvekutanga zvemabasa ako, zvawakadzvara mumunda; uye mutambo wekuunganidza pakupera kwegore, kana waunganidza mabasa ako pamunda.
  2162. Exo 23:17 Katatu pagore vanhurume vako vose vachaonekwa pamberi paShe Jehovha.
  2163. Exo 23:18 Hauchabairi ropa rechibairo changu pamwe nechingwa chakaviriswa; nemafuta emutambo wangu haachagari kusvika kwaedza.
  2164. Exo 23:19 Chekutanga chezvibereko zvemunda wako zvekutanga uchauisa muimba yaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
  2165. Exo 23:20 Tarira, ndinotuma Mutumwa pamberi pako kukuchengeta panzira, nekukuisa munzvimbo yandakagadzirira.
  2166. Exo 23:21 Chenjerera pamberi pake, uye teerera inzwi rake, usamutsamwisa, nokuti haangakanganwiri kudarika kwako, nokuti zita rangu riri mukati make.
  2167. Exo 23:22 Asi kana ukateerera zvirokwazvo inzwi rake, nekuita zvose zvandinotaura, ipapo ndichava muvengi wevavengi vako, nemudzivisi wevadzivisi vako.
  2168. Exo 23:23 Nokuti Mutumwa wangu achafamba mberi kwako, akupinze muvaAmori, nevaHiti, nevaPerezi, nevaKenani, vaHivhi, nevaJebhusi. Uye ndichavaparadza.
  2169. Exo 23:24 Usakotamira vamwari vavo, uye usavashumira, uye usaita semabasa avo; asi uchavabvambura zvekuvabvambura, nekuputsanya-putsanya shongwe dzavo zvifananidzo.
  2170. Exo 23:25 Zvino muchashumira Jehovha Mwari wenyu, uye acharopafadza kudya kwako nemvura yako; uye ndichabvisa urwere pakati pako.
  2171. Exo 23:26 Hakungavi nechinosvodza kana chisingabereki panyika yako. Ndichazadzisa uwandu hwemazuva ako.
  2172. Exo 23:27 Ndichatuma kutyisa kwangu pamberi pako, nekuvhiringidza vanhu vose vauchasvika kwavari, uye ndichaita vavengi vako vose vakufuratire.
  2173. Exo 23:28 Zvino ndichatuma mago pamberi pako; achadzinga vaHivhi, vaKenani, nevaHiti kubva pamberi pako.
  2174. Exo 23:29 Handingavadzingi kubva pamberi pako mugore rimwe, zvimwe nyika ingava dongo, nezvikara zvesango zvikuwandire.
  2175. Exo 23:30 Zvishoma-zvishoma ndichavadzinga kubva pamberi pako, kusvika mabereka mugare nhaka yenyika.
  2176. Exo 23:31 Zvino ndichaisa muganhu wako kubva paGungwa Dzvuku kusvikawo kuGungwa revaFirisitia, nekubva kurenje kusvika kurwizi; nokuti ndichapa vagari venyika muruoko rwenyu; zvino uchavadzinga pamberi pako.
  2177. Exo 23:32 Usaita sungano navo kana nevamwari vavo.
  2178. Exo 23:33 Havangagari munyika yako, zvimwe vangakuita unditadzire; kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo uchava musungo kwauri.
  2179. Exo 24:1 Zvino wakati kuna Mozisi: Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu, nemakumi manomwe pavakuru vaIsraeri, mufugame muri kure.
  2180. Exo 24:2 Zvino Mozisi oga achaswedera kuna Jehovha, asi ivo havangaswederi; nevanhu havangakwiri pamwe naye.
  2181. Exo 24:3 Zvino Mozisi wakauya ndokurondedzera kuvanhu mashoko ose aJehovha, nemitongo yose. Vanhu vose ndokupindura nenzwi rimwe ndokuti: Mashoko ose areva Jehovha tichaita.
  2182. Exo 24:4 Zvino Mozisi wakanyora mashoko ose aJehovha, ndokumuka mangwanani-ngwanani ndokuvaka aritari pazasi pegomo, neshongwe gumi nembiri, zvichienderana nemarudzi gumi nemaviri aIsraeri.
  2183. Exo 24:5 Zvino wakatuma majaya evana vaIsraeri, akapira zvipo zvinopiswa, nekubaira nzombe kuva zvipo zvekuyananisa kuna Jehovha.
  2184. Exo 24:6 Mozisi ndokutora hafu yeropa ndokuisa mumidziyo, uye hafu yeropa wakasasa paaritari.
  2185. Exo 24:7 Zvino wakatora bhuku resungano ndokuverenga munzeve dzevanhu. Ivo ndokuti: Zvose Jehovha zvaataura tichaita uye tichateerera.
  2186. Exo 24:8 Zvino Mozisi wakatora ropa ndokusasa pamusoro pevanhu, ndokuti: Tarirai ropa resungano Jehovha yaakaita nemwi maererano nemashoko awa ose.
  2187. Exo 24:9 Zvino Mozisi naAroni, Nadhabhi, naAbhihu, nemakumi manomwe pavakuru vaIsraeri vakakwira.
  2188. Exo 24:10 Zvino vakaona Mwari waIsraeri nepasi petsoka dzake sebasa rezvitina zvesafiri, nekuita sematenga chaiwo pakuchena.
  2189. Exo 24:11 Asi haana kutandavadzira ruoko rwake kuvakuru vevana vaIsraeri; vakaonawo Mwari, uye vakadya ndokunwa.
  2190. Exo 24:12 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Kwira kwandiri mugomo, uye uvepo; zvino ndichakupa mahwendefa emabwe nemurairo nemutemo wandanyora kuvadzidzisa.
  2191. Exo 24:13 Mozisi ndokusimuka nemushandiri wake Joshua. Mozisi ndokukwira mugomo raMwari.
  2192. Exo 24:14 Ndokuti kuvakuru: Timirirei pano, kusvika tichidzokerazve kwamuri. Zvino tarirai, Aroni naHuri vanemwi; ani nani ane mhaka ngaaswedere kwavari.
  2193. Exo 24:15 Zvino Mozisi wakakwira mugomo, gore ndokufukidza gomo.
  2194. Exo 24:16 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro pegomo reSinai, gore ndokurifukidza mazuva matanhatu; uye nezuva rechinomwe wakadana kuna Mozisi ari mukati megore.
  2195. Exo 24:17 Zvino kuonekwa kwekubwinya kwaJehovha kwaiva kwakaita semoto unoparadza pamusoro wegomo pameso evana vaIsraeri.
  2196. Exo 24:18 Mozisi ndokupinda mukati megore, ndokukwira mugomo; Mozisi ndokuva mugomo mazuva makumi mana neusiku makumi mana.
  2197. Exo 25:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2198. Exo 25:2 Taura kuvana vaIsraeri kuti vanditorere chipo chinozunguzirwa; pamunhu umwe neumwe uyo moyo wake unomutuma, muchatora chipo chinozunguzirwa changu.
  2199. Exo 25:3 Zvino ichi ndicho chipo chamuchatora kwavari: Goridhe, nesirivha, nendarira,
  2200. Exo 25:4 nezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
  2201. Exo 25:5 nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nematehwe ezvikumba, nematanda emuakasia,
  2202. Exo 25:6 mafuta emwenje, zvinonhuhwira zvemafuta ekuzodza, nezvezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira,
  2203. Exo 25:7 mabwe eonikisi, nemabwe ekuisa paefodhi nepahombodo yechipfuva.
  2204. Exo 25:8 Zvino ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo.
  2205. Exo 25:9 Maererano nezvose zvandichakuratidza, mufananidzo wetabhenakeri, nemufananidzo wenhumbi dzayo dzose, muchaiita saizvozvowo.
  2206. Exo 25:10 Zvino vachaita areka nematanda emuakasia; urefu hwayo mbimbi mbiri nehafu, neupamhi hwayo mbimbi nehafu, nekukwirira kwayo mbimbi nehafu.
  2207. Exo 25:11 Zvino uchaiputira negoridhe rakazara, mukati nekunze uchaiputira, uye uchaitira pamusoro payo mupendero wegoridhe unopoteredza.
  2208. Exo 25:12 Zvino uchaiumbira nekunyungudusa zvindori zvina zvegoridhe, nekuzviisa pamakumbo ayo mana, nezvindori zviviri parutivi rwumwe rwayo, nezvindori zviviri pane rwumwe rutivi rwayo.
  2209. Exo 25:13 Zvino uchaita zvibatiso nematanda emuakasia, ndokuzviputira negoridhe.
  2210. Exo 25:14 Zvino uchapinza zvibatiso muzvindori panhivi dzeareka, kutakura areka nazvo.
  2211. Exo 25:15 Zvibatiso zvichava muzvindori zveareka; hazvingabviswi pairi.
  2212. Exo 25:16 Zvino uchaisa muareka uchapupu hwandichakupa.
  2213. Exo 25:17 Uitewo chigaro chengoni chegoridhe rakazara; mbimbi mbiri nehafu kuchava kureba kwacho; uye mbimbi nehafu huchava upamhi hwacho.
  2214. Exo 25:18 Zvino uchaita makerubhi maviri egoridhe, uchaaita nebasa rakapfurwa pamicheto miviri yechigaro chengoni.
  2215. Exo 25:19 Zvino uite kerubhi rimwe pamucheto umwe, nerimwe kerubhi pane umwe mucheto; uchaita makerubhi anobva pachigaro chengoni pamicheto miviri yacho.
  2216. Exo 25:20 Zvino makerubhi achatandavadzira mapapiro kumusoro, achifukidza chigaro chengoni nemapapiro awo, nezviso zvawo zvakatarisana; zviso zvemakerubhi zvichatarisa chigaro chengoni.
  2217. Exo 25:21 Zvino uchaisa chigaro chengoni kumusoro pamusoro peareka, uye muareka uchaisa uchapupu hwandichakupa.
  2218. Exo 25:22 Zvino ndichasangana newe ipapo, uye ndichataura newe ndiri pamusoro pechigaro chengoni, ndiri pakati pemakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeuchapupu, zvose zvandichakuraira kuvana vaIsraeri.
  2219. Exo 25:23 Uchaitawo tafura nematanda emuakasia; mbimbi mbiri kuve kureba kwayo, uye mbimbi upamhi hwayo, uye mbimbi nehafu kuve kukwirira kwayo.
  2220. Exo 25:24 Zvino uchaiputira negoridhe rakazara; ugoita pairi mupendero wegoridhe unopoteredza.
  2221. Exo 25:25 Zvino uchaiitira mukombero wakakomberedza une upamhi hwechanza; uye uchaiitira mukombero wayo mupendero wegoridhe mativi ose.
  2222. Exo 25:26 Uye uchaiitira zvindori zvina zvegoridhe; ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana.
  2223. Exo 25:27 Zvindori zvichava pamupendero kuti zvive nzvimbo dzezvibatiso kutakura tafura.
  2224. Exo 25:28 Zvino uchaita zvibatiso nematanda emuakasia, ugozviputira negoridhe, kuti tafura itakurwe nazvo.
  2225. Exo 25:29 Uye uite ndiro dzayo nemikombe yayo nemidziyo yayo nemadhishi ayo ekudira nawo; uzviite negoridhe rakazara.
  2226. Exo 25:30 Zvino uchaisa pamusoro petafura chingwa chekuratidzira pamberi pangu rinhi narinhi.
  2227. Exo 25:31 Zvino uchaita chigadziko chemwenje chegoridhe rakazara; chigadziko chemwenje chichaitwa nebasa rakapfurwa; chigadziko chacho, matavi acho, mbiya dzacho, mabumburudzi acho, nemaruva acho zvichabva pachiri.
  2228. Exo 25:32 Zvino matavi matanhatu achabuda pamativi acho; matavi matatu echigadziko chemwenje kubva kune rumwe rutivi rwacho, nematavi matatu echigadziko chemwenje kubva kune rumwe rutivi rwacho.
  2229. Exo 25:33 Mbiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi padavi rimwe, bumburudzi neruva; nembiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi pane rimwe davi, bumburudzi neruva; saizvozvo pamatavi matanhatu anobuda pachigadziko chemwenje.
  2230. Exo 25:34 Uye pachigadziko chemwenje pave nembiya ina dzakaumbwa semaruva emuarimondi, mabumburudzi adzo nemaruva adzo.
  2231. Exo 25:35 Nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, zvichienderana nematavi matanhatu anobuda pachigadziko chemwenje.
  2232. Exo 25:36 Mabumburudzi awo nematavi awo achabva pachiri; zvose zvive basa rimwe rakapfurwa negoridhe rakazara.
  2233. Exo 25:37 Zvino uchaita mwenje minomwe yacho, uye vachatungidza mwenje yacho, vachauvhenekeresa divi rakatarisana nacho.
  2234. Exo 25:38 Zvino mbato dzacho nezvaenga zvemadota zvacho zvichava zvegoridhe rakazara.
  2235. Exo 25:39 Achazviita netarenda negoridhe rakazara, pamwe nemidziyo iyi yose.
  2236. Exo 25:40 Zvino uchenjerere kuti uite nemufananidzo wazvo wakaratidzwa kwauri pagomo.
  2237. Exo 26:1 Uchaitawo tabhenakeri nemaketeni gumi emucheka wakaisvonaka wakarukwa, neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, [ne]makerubhi, basa renyanzvi, uchaaita.
  2238. Exo 26:2 Kureba kweketeni rimwe mbimbi makumi maviri nesere, neupamhi hweketeni rimwe mbimbi ina; maketeni ose ave ukuru humwe.
  2239. Exo 26:3 Maketeni mashanu achabatanidzwa rimwe kune rimwe, uye maketeni mashanu abatanidzwe rimwe kune rimwe.
  2240. Exo 26:4 Zvino uchaisa zvishwe zveruvara rwedenga pamupendero werimwe keteni, pamucheto pepakabatanidzwa; saizvozvowo uchaita kumupendero wekupedzisira weketeni wepakabatanidzwa pechipiri.
  2241. Exo 26:5 Uchaita zvishwe makumi mashanu paketeni rimwe, nezvishwe makumi mashanu pamupendero weketeni riri pakabatanidzwa perechipiri, zvishwe zvitarisane.
  2242. Exo 26:6 Uitewo zvikorekedzo makumi mashanu zvegoridhe, ugobatanidza maketeni, rimwe kune rimwe nezvikorekedzo, zvino ichava tabhenakeri imwe.
  2243. Exo 26:7 Zvino uchaita maketeni nemvere dzembudzi hadzi rive tende pamusoro petabhenakeri; uiite nemaketeni gumi nerimwe.
  2244. Exo 26:8 Kureba kweketeni rimwe mbimbi makumi matatu, neupamhi hweketeni rimwe mbimbi ina; maketeni ane gumi nerimwe ave ukuru humwe.
  2245. Exo 26:9 Zvino uchabatanidza maketeni mashanu ari oga, uye maketeni matanhatu ari oga, ugopeta keteni rechitanhatu kaviri kumucheto kwetende mberi.
  2246. Exo 26:10 Zvino uite zvishwe makumi mashanu pamupendero weketeni rimwe rekupedzisira pakabatanidzwa, nezvishwe makumi mashanu pamupendero weketeni rinobatanidza rechipiri.
  2247. Exo 26:11 Zvino uchaita zvikorekedzo makumi mashanu zvendarira, ugopinza zvikorekedzo muzvishwe, ubatanidze tende rive rimwe.
  2248. Exo 26:12 Zvino zvakasara zvinopfuura maketeni etende, hafu yeketeni rakapfuura, ngariremberere kurutivi rwuri shure kwetabhenakeri.
  2249. Exo 26:13 Uye mbimbi kune rumwe rutivi nembimbi kune rumwe rutivi, pazvakasara paurefu hwemaketeni etende, zvicharemberera panhivi dzetabhenakeri kurutivi runo nekurutivi urwo, kuifukidza.
  2250. Exo 26:14 Zvino uchaitira tende chifukidzo chematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nechifukidzo chematehwe ezvikumba pamusoro.
  2251. Exo 26:15 Zvino uchaitira tabhenakeri mapuranga, matanda emuakasia, akamira.
  2252. Exo 26:16 Kureba kwepuranga kuve mbimbi gumi, neupamhi hwepuranga rimwe mbimbi nehafu yembimbi.
  2253. Exo 26:17 Puranga rimwe richava nezvibato zviviri, zvakabatanidzwa chimwe kune chimwe; ndizvo zvauchaitira mapuranga ose etabhenakeri.
  2254. Exo 26:18 Zvino uchaitira tabhenakeri mapuranga, mapuranga makumi maviri kudivi rekuchamhembe kwakatarisana nechamhembe.
  2255. Exo 26:19 Zvino uchaita zvigadziko makumi mana zvesirivha pasi pemapuranga makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga pazvibato zvaro zviviri;
  2256. Exo 26:20 uye mapuranga makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwekumaodzanyemba,
  2257. Exo 26:21 nezvigadziko zvawo makumi mana zvesirivha, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga.
  2258. Exo 26:22 Uchaitawo mapuranga matanhatu kumativi eshure kwetabhenakeri kumavirazuva.
  2259. Exo 26:23 Zvino uchaita mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kumativi eshure,
  2260. Exo 26:24 uye ave maviri nechenyasi; uye ave akazara kumusoro kwayo akabatanidzwa kuchindori chimwe; saizvozvo achadaro ari maviri, ave kumakona maviri.
  2261. Exo 26:25 Zvino achava mapuranga masere nezvigadziko zvawo zvesirivha, zvigadziko gumi nezvitanhatu; zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nezvigadziko zviri pasi perimwe puranga.
  2262. Exo 26:26 Uchaitawo mbariro dzematanda emuakasia, shanu dzemapuranga dzerutivi rumwe rwetabhenakeri,
  2263. Exo 26:27 nembariro shanu dzemapuranga erumwe rutivi rwetabhenakeri, nembariro shanu dzemapuranga erutivi rwetabhenakeri kumativi eshure kumavirazuva.
  2264. Exo 26:28 Nembariro yepakati ngaive pakati pemapuranga, igure kubva kumapeto kusvika kumapeto.
  2265. Exo 26:29 Uchaputirawo mapuranga negoridhe; uitewo zvindori zvawo negoridhe, zvive nzvimbo dzembariro; uputire mbariro negoridhe.
  2266. Exo 26:30 Zvino uchasimudza tabhenakeri maererano nenzira yayo yakaratidzwa iwe mugomo.
  2267. Exo 26:31 Uchaitawo vheiri reruvara rwedenga neruvara rwehute nezvitsvuku nemucheka wakarukwa wakaisvonaka, basa renyanzvi; richaitwa nemakerubhi.
  2268. Exo 26:32 Zvino uchariremberedza pambiru ina dzemuakasia dzakaputirwa negoridhe; zvikorekedzo zvadzo zvive zvegoridhe, pazvigadziko zvina zvesirivha.
  2269. Exo 26:33 Uye ucharemberedza vheiri pasi pezvikorekedzo, kuti upinzepo areka yechipupuriro mukati mevheiri; uye vheiri iri richakuparadzanisirai pakati penzvimbo tsvene nenzvimbo tsvene-tsvene.
  2270. Exo 26:34 Uchaisawo chigaro chengoni pamusoro peareka yechipupuriro patsvene yedzitsvene.
  2271. Exo 26:35 Zvino uchaisa tafura panze pevheiri, nechigadziko chemwenje pakatarisana netafura kurutivi rwetabhenakeri kwakatarisa kuchamhembe; uye uchaisa tafura kurutivi rwekumaodzanyemba.
  2272. Exo 26:36 Uchaitirawo mukova wetende chiremberedzo cheruvara rwedenga neruvara rwehute nezvitsvuku nemucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa remusoni.
  2273. Exo 26:37 Uitirewo chiremberedzo mbiru shanu dzemuakasia, ugodziputira negoridhe; zvikorekedzo zvadzo zvive zvegoridhe, uye uchazviumbira nekunyungudusa zvigadziko zvishanu zvendarira.
  2274. Exo 27:1 Zvino uchaita aritari nematanda emuakasia; kureba kuve mbimbi shanu, uye upamhi huve mbimbi shanu; aritari ichava nhivi ina dzakaenzana; uye kukwirira kwayo kuve mbimbi nhatu.
  2275. Exo 27:2 Uchaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzibve pairi; zvino uchaiputira nendarira.
  2276. Exo 27:3 Uye uite hari dzayo dzekubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nembiya dzayo, nezvibaiso zvenyama zvayo, nembato dzayo; midziyo yayo yose uchaiita nendarira.
  2277. Exo 27:4 Uchaiitirawo sefa yendarira basa remumbure, nepamumbure uchaita zvindori zvina zvendarira pamicheto yayo mina.
  2278. Exo 27:5 Zvino uchazviisa pasi pemucheto wearitari pazasi, kuti mumbure usvike pakati pearitari.
  2279. Exo 27:6 Uitire aritari zvibatiso, zvibatiso zvematanda emuakasia, ugozviputira nendarira.
  2280. Exo 27:7 Zvino zvibatiso zvichauiswa muzvindori, uye zvibatiso zvichava panhivi mbiri dzearitari pakuitakura.
  2281. Exo 27:8 Uiite nemapuranga ine mhango, sezvayakaratidzwa kwauri mugomo, muiite saizvozvo.
  2282. Exo 27:9 Zvino uchaita chivanze chetabhenakeri; kurutivi rwechamhembe kwakatarisa kuchamhembe kuchava nezviremberedzwa zvechivanze zvemucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwerutivi rumwe kuve mbimbi zana.
  2283. Exo 27:10 Uye mbiru dzacho makumi maviri nezvigadziko zvadzo makumi maviri zvive zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvive zvesirivha.
  2284. Exo 27:11 Saizvozvowo kudivi rekumaodzanyemba pakureba ngapave nezviremberedzwa zvine mbimbi zana; nembiru dzayo makumi maviri, nezvigadziko zvadzo makumi maviri zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvive sirivha.
  2285. Exo 27:12 Neupamhi hwechivanze, kurutivi rwemavirazuva, pachava nezviremberedzwa zvine mbimbi makumi mashanu, mbiru dzayo dzive gumi, nezvigadziko zvadzo zvive gumi.
  2286. Exo 27:13 Neupamhi hwechivanze kurutivi rwemabvazuva kwakananga kumabvazuva kuchava mbimbi makumi mashanu.
  2287. Exo 27:14 Uye zviremberedzwa rumwe rutivi zvive mbimbi gumi neshanu, mbiru dzazvo dzive nhatu, nezvigadziko zvazvo zvitatu.
  2288. Exo 27:15 Nekune rumwe rutivi kuve nezviremberedzwa zvine mbimbi gumi neshanu, mbiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvazvo zvitatu.
  2289. Exo 27:16 Nepasuwo rechivanze pave nechidzitiro chine mbimbi makumi maviri, chine zveruvara rwedenga neruvara rwehute nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa remusoni; mbiru dzacho dzive ina nezvigadziko zvacho zvina.
  2290. Exo 27:17 Mbiru dzose dzechivanze dzakapoteredza dzichasungwa nesirivha; zvikorekedzo zvadzo zvive zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvive zvendarira.
  2291. Exo 27:18 Urefu hwechivanze huchava mbimbi zana, neupamhi makumi mashanu uku nemakumi mashanu uku, nekukwirira mbimbi shanu, dzemucheka wakaisvonaka wakarukwa; nezvigadziko zvadzo zvive zvendarira.
  2292. Exo 27:19 Midziyo yose yetabhenakeri pamabasa ayo ose, nehoko dzayo dzose, nehoko dzose dzechivanze, dzive dzendarira.
  2293. Exo 27:20 Zvino iwe ucharaira vana vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta emuorivhi akazara akatakirwa mwenje, ekuvhenekeresa mwenje nguva dzose.
  2294. Exo 27:21 Mutende rekusangana kunze kwevheiri riri pamberi peuchapupu, Aroni nevanakomana vake vachairongedza kubva madekwani kusvika mangwanani pamberi paJehovha; chichava chimiso nekusingaperi kumazera avo, nekuda kwevana vaIsraeri.
  2295. Exo 28:1 Zvino iwe uswededze kwauri Aroni mukoma wako, nevanakomana vake pamwe naye kubva pakati pevana vaIsraeri, kuti andishumire paupristi: Aroni, Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari, vanakomana vaAroni.
  2296. Exo 28:2 Uitire Aroni mukoma wako nguvo tsvene dzerukudzo uye dzerunako.
  2297. Exo 28:3 Ugotaura iwe kuna vose vane moyo yakachenjera, vandakazadza nemweya weuchenjeri, kuti vaite nguvo dzaAroni dzekumutsaura, kuti andishumire paupristi.
  2298. Exo 28:4 Nguvo dzavachaita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejazi, nenguvo refu yakarukwa, nguwani, nebhanhire; zvino ngavaitire Aroni, mukoma wako, nevanakomana vake nguvo tsvene, kuti andishumire paupristi.
  2299. Exo 28:5 Ivo ngavatorewo goridhe, neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka.
  2300. Exo 28:6 Efodhi ngavaiite negoridhe, zveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, zvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa remusoni.
  2301. Exo 28:7 Ngaive mapandi emafudzi maviri akabatanidza pamicheto yayo miviri kuti ibatanidzwe.
  2302. Exo 28:8 Nebhanhire reefodhi yaro, riri pamusoro payo, richava sebasa rayo, kubva pairi, negoridhe, zveruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa.
  2303. Exo 28:9 Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugofombora paari mazita evanakomana vaIsraeri;
  2304. Exo 28:10 matanhatu emazita avo pabwe rimwe, uye matanhatu emazita avo akasara pabwe rimwe, zvichienderana nemazera avo.
  2305. Exo 28:11 Sebasa remufombori wemabwe, sekufomborwa kwezvidhindo, uchaafombora mabwe awa maviri nemazita evanakomana vaIsraeri; uchaaita amiswe muzvirukwa zvegoridhe.
  2306. Exo 28:12 Zvino uchaisa mabwe awo maviri pamapandi emafudzi eefodhi, ave mabwe echirangaridzo kuvana vaIsraeri; naAroni achatakura mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chirangaridzo.
  2307. Exo 28:13 Zvino uchaita zvirukwa zvegoridhe,
  2308. Exo 28:14 neketani mbiri dzegoridhe rakazara; uzviite zvakamonwa, basa rakakoshwa; uye maketani akakoshwa uasungire pazvirukwa izvo.
  2309. Exo 28:15 Uchaitawo hombodo yechipfuva yekutonga, rive basa remhizha; uiite sebasa reefodhi; negoridhe, zveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa uchaiita.
  2310. Exo 28:16 Ngaienzane mativi mana yakapetwa kaviri; kureba kwayo chiri chanza; uye upamhi hwayo huve chanza.
  2311. Exo 28:17 Uchaisawo mairi zvitanga zvemabwe anokosha, mitsara mina yemabwe; musara wesadhiosi, topasi, nekabhunakeri; musara wekutanga.
  2312. Exo 28:18 Nemusara wechipiri emaradhi, safiri, nedhaimani.
  2313. Exo 28:19 Nemusara wechitatu hiakindi, agati, neametisiti.
  2314. Exo 28:20 Nemusara wechina bheriri, neonikisi, nejasiperi. Zvicharukwa negoridhe muzvitanga zvazvo.
  2315. Exo 28:21 Zvino mabwe achava nemazita evanakomana vaIsraeri, ari gumi nemaviri zvichienderana nemazita avo; akafomborwa pazvidhindo, rimwe nerimwe nezita raro; achava kumarudzi gumi nemaviri.
  2316. Exo 28:22 Zvino uchaita pahombodo yechipfuva maketani akamonwa basa rakakoshwa regoridhe rakazara.
  2317. Exo 28:23 Uchaitawo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvegoridhe, uye uchaisa zvindori zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.
  2318. Exo 28:24 Zvino uchaisa ketani dzakamonwa dzegoridhe muzvindori zviviri pamicheto yehombodo yechipfuva.
  2319. Exo 28:25 Nemicheto miviri yeketani mbiri dzakamonwa uchasungira muzvirukwa zviviri, zvino uzviise pamapandi emafudzi eefodhi mhiri pakatarisana nayo.
  2320. Exo 28:26 Uchaitawo zvindori zviviri zvegoridhe, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kune rimwe divi reefodhi mukati.
  2321. Exo 28:27 Uchaitawo zvindori zviviri zvegoridhe, ugozviisa pamapandi emafudzi maviri eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi.
  2322. Exo 28:28 Zvino vachasunga hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi nerwonzi rweruvara rwedenga, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi, uye hombodo yechipfuva irege kubva paefodhi.
  2323. Exo 28:29 Zvino Aroni achatakura mazita evana vaIsraeri pahombodo yechipfuva yekutonga pamoyo wake, kana achipinda munzvimbo tsvene, chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose.
  2324. Exo 28:30 Uchaisawo Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva yekutonga, zvino zvichava pamoyo waAroni kana achipinda pamberi paJehovha; naAroni achatakura kutongwa kwevana vaIsraeri pamoyo wake pamberi paJehovha nguva dzose.
  2325. Exo 28:31 Uchaitawo jazi reefodhi rose neruvara rwedenga.
  2326. Exo 28:32 Zvino pachava neburi remusoro waro pakati paro; richava nemupendero webasa rakarukwa rakapoteredza buri raro, rive seburi rejazi reutare, kuti rirege kubvaruka.
  2327. Exo 28:33 Uchaitawo pamupendero waro mapomegiranati eruvara rwedenga, nezveruvara rwehute nezvitsvuku anopoteredza pamupendero waro, nemadare egoridhe pakati pawo akapoteredza.
  2328. Exo 28:34 Dare regoridhe nepomegiranati, dare regoridhe nepomegiranati pamupendero wejazi wakapoteredza.
  2329. Exo 28:35 Zvino zvichava pana Aroni kushumira, kuti kurira kwaro kunzwike paanopinda munzvimbo tsvene pamberi paJehovha, nepakubuda kwake, kuti asafa.
  2330. Exo 28:36 Zvino uchaita hwendefa regoridhe rakazara, ugofombora pariri, sepakafomborwa pezvidhindo uchiti: UTSVENE KUNA JEHOVHA.
  2331. Exo 28:37 Uchariisawo parwonzi rweruvara rwedenga, rigoiswa pangundu, rive mhiri pakatarisana nengundu.
  2332. Exo 28:38 Zvino richava pahuma yaAroni, kuti Aroni atakure kuipa kwezvinhu zvitsvene, vana vaIsraeri zvavachaita zvitsvene pazvipo zvavo zvitsvene zvose; uye richava pahuma yake nguva dzose, kuti vagamuchirwe pamberi paJehovha.
  2333. Exo 28:39 Ucharukawo nguvo refu yemucheka wakaisvonaka, uye uchaita ngundu yemucheka wakaisvonaka, uye uchaita bhanhire nebasa rechirukwa.
  2334. Exo 28:40 Nevanakomana vaAroni uchavaitira nguvo refu; uye uchavaitira mabhanhire; uvaitirewo nguwani; zvive rukudzo nerunako.
  2335. Exo 28:41 Zvino uchazvipfekedza Aroni mukoma wako nevanakomana vake pamwe naye; uye uchavazodza, nekuvatsaura, nekuvatsvenesa, kuti vandishumire paupristi.
  2336. Exo 28:42 Uchavaitirawo zvikadubura zvemukati zvemucheka kufukidza nyama yakashama; zvichava kubva pazviuno kusvika pazvidya.
  2337. Exo 28:43 Zvichapfekwawo naAroni nevanakomana vake pakupinda kwavo mutende rekusangana, kana pavanoswedera paaritari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kutakura chakaipa vakafa. Chive chimiso narinhi narinhi kwaari nekumbeu yake shure kwake.
  2338. Exo 29:1 Zvino ichi ndicho chinhu chauchavaitira kuvaita vatsvene, kuti vandishumire paupristi: Tora nzombe imwe diki, mhuru yemombe, nemakondohwe maviri asina chaanopomerwa,
  2339. Exo 29:2 nechingwa chisina kuviriswa, nemakeke asina kuviriswa akakanyiwa nemafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta; uchazviita neupfu hwakatsetseka hwegorosi.
  2340. Exo 29:3 Zvino uchazviisa mudengu rimwe, uuye nazvo pedo zviri mudengu, pamwe nenzombe diki nemakondohwe maviri.
  2341. Exo 29:4 NaAroni nevanakomana vake uchavauisa pedo kumukova wetende rekusangana, ugovashambidza nemvura.
  2342. Exo 29:5 Uchatorawo hazu ugopfekedza Aroni nguvo refu, nejazi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno nebhanhire reefodhi;
  2343. Exo 29:6 uisewo ngundu pamusoro wake, nekuisa korona tsvene pangundu.
  2344. Exo 29:7 Zvino uchatora mafuta ekuzodza, ugodira pamusoro wake, ugomuzodza.
  2345. Exo 29:8 Nevanakomana vake uchavaswededza pedo ugovapfekedza dzinguvo refu.
  2346. Exo 29:9 Uchavasungawo zviuno nemabhanhire, Aroni nevanakomana vake, uvasungirire nguwani; uye upristi huchava hwavo chive chimiso nekusingaperi; uye uchatsaura Aroni nekutsaura vanakomana vake.
  2347. Exo 29:10 Zvino uchaunza pedo nzombe diki pamberi petende rekusangana, uye Aroni nevanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro pemusoro wenzombe.
  2348. Exo 29:11 Zvino uchabaya nzombe diki pamberi paJehovha pamukova wetende rekusangana.
  2349. Exo 29:12 Zvino uchatora kubva paropa renzombe diki, ugoisa panyanga dzearitari nemunwe wako, ndokudururira ropa rose munheyo dzearitari.
  2350. Exo 29:13 Zvino uchatora mafuta ose anofukidza zvemukati, nemafuta ari pamusoro pechiropa, neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri uzvipise pamusoro pearitari.
  2351. Exo 29:14 Asi nyama yenzombe diki, nedehwe rayo, nechizvizvi chayo, uchapisa nemoto kunze kwemusasa; chipo chezvivi.
  2352. Exo 29:15 Uchatorawo gondohwe rimwe, uye Aroni nevanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
  2353. Exo 29:16 Zvino uchauraya gondohwe ndokutora ropa raro ndokusasa kupoteredza paaritari.
  2354. Exo 29:17 Zvino uchagura-gura gondohwe munhindi dzaro ndokusuka zvemukati zvaro nemakumbo aro ugoisa panhindi dzaro nepamusoro waro.
  2355. Exo 29:18 Zvino uchapisa gondohwe rose paaritari; chipo chinopiswa kuna Jehovha, hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.
  2356. Exo 29:19 Zvino uchatora gondohwe rechipiri; uye Aroni nevanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
  2357. Exo 29:20 Ipapo uchauraya gondohwe ndokutora paropa raro, ndokuisa pamucheto wenzeve yerudyi yaAroni, nepamucheto wenzeve dzerudyi dzevanakomana vake, nepagunwe reruoko rwavo rwerudyi, nepagunwe retsoka yavo yerudyi, nekusasa ropa paaritari kupoteredza.
  2358. Exo 29:21 Zvino uchatora paropa riri paaritari nepamafuta ekuzodza, ugosasa pamusoro paAroni nepanguvo dzake nepamusoro pevanakomana vake nepanguvo dzevanakomana vake pamwe naye, agoitwa mutsvene iye nenguvo dzake nevanakomana vake nenguvo dzevanakomana vake pamwe naye.
  2359. Exo 29:22 Zvino utore mafuta egondohwe, nebemhe, nemafuta anofukidza zvemukati, nemafuta epachiropa, neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, nebandauko rerudyi (nokuti igondohwe rekugadzwa),
  2360. Exo 29:23 nerofu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chidiki chine mafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
  2361. Exo 29:24 Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni nepamaoko evanakomana vake, vagozvizunguzira chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
  2362. Exo 29:25 Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipo chinopiswa, chive chipo chinonhuhwira pamberi paJehovha; chipo chemoto kuna Jehovha.
  2363. Exo 29:26 Utorewo chityu chegondohwe rekugadzwa rive raAroni, urizunguzire chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha; uye richava mugove wako.
  2364. Exo 29:27 Zvino chityu chinozunguzirwa uchiite chitsvene, nebandauko rechipo, chinozunguzirwa nekusimudzirwa, zvegondohwe rekugadzwa, kubva pane zviri zvaAroni nepane zviri zvevanakomana vake.
  2365. Exo 29:28 Zvichava zvaAroni nevanakomana vake kuva chimiso rinhi narinhi kuvana vaIsraeri, nokuti chipo; zvino chichava chipo chinobva kuvana vaIsraeri pazvibairo zvezvipo zvavo zvekuyananisa, chipo chavo kuna Jehovha.
  2366. Exo 29:29 Zvino nguvo tsvene dzaAroni dzichava dzevanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzipfeka, nekutsaurwa vakadzipfeka.
  2367. Exo 29:30 Umwe achava mupristi panzvimbo yake kubva kuvanakomana vake, achadzipfeka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rekusangana kushumira panzvimbo tsvene.
  2368. Exo 29:31 Zvino uchatora gondohwe rekueresa ndokubika nyama yaro panzvimbo tsvene.
  2369. Exo 29:32 Aroniwo nevanakomana vake vachadya nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu, pamukova wetende rekusangana.
  2370. Exo 29:33 Vachadya zvinhu izvi zvinoitwa nazvo chiyananiso kuvatsaura, kuvaita vatsvene; asi mweni asazvidya, nokuti zvitsvene.
  2371. Exo 29:34 Kana pakasara panyama yekuereswa, kana pachingwa, kusvika mangwanani, zvino uchapisa zvasara nemoto; hazvidyiwi, nokuti zvitsvene.
  2372. Exo 29:35 Zvino uchaitira Aroni nevanakomana vake saizvozvo, zvichienderana nezvose zvandakuraira; mazuva manomwe uchavatsaura.
  2373. Exo 29:36 Zvino pazuva ugadzire nzombe diki yechipo chezvivi chezviyananiso; uye uchanatsa aritari, kana pakuiyananisira; ugoizodza kuiita tsvene.
  2374. Exo 29:37 Uchaitira aritari chiyananiso mazuva manomwe, nekuiita tsvene; aritari ichava tsvene yedzitsvene; zvose zvinobata aritari zvichava zvitsvene.
  2375. Exo 29:38 Zvino ndizvo zvauchagadzira paaritari: Makwayana maviri, ane gore rimwe, pazuva, rinhi narinhi.
  2376. Exo 29:39 Rimwe gwayana uchagadzira mangwanani, uye rimwe gwayana ucharigadzira madekwani.
  2377. Exo 29:40 Zvino chegumi cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nechechina chehini yemafuta akatakiwa nechechina chehini yewaini, chive chipo chinodururwa chegwayana rimwe.
  2378. Exo 29:41 Nerimwe gwayana uchagadzira madekwani, uriitire sezvinoenderana nechipo chechidyiwa chemangwanani, nezvinoenderana nechipo charo chinodururwa, chive hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.
  2379. Exo 29:42 Chichava chipo chinopiswa rinhi narinhi pamazera enyu, pamukova wetende rekusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemwi, kutaurapo newe.
  2380. Exo 29:43 Ipapowo ndichasangana nevana vaIsraeri; uye richaitwa dzvene nekubwinya kwangu.
  2381. Exo 29:44 Zvino ndichaita tende rekusangana nearitari zvitsvene; uye Aroni nevanakomana vake ndichavaita vatsvene kuti vandishumire paupristi.
  2382. Exo 29:45 Zvino ndichagara pakati pevana vaIsraeri, ndigova Mwari wavo.
  2383. Exo 29:46 Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, wakavabudisa panyika yeEgipita kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.
  2384. Exo 30:1 Zvino uchaita aritari yekupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira; uiite nematanda emuakasia.
  2385. Exo 30:2 Mbimbi kuve kureba kwayo, nembimbi upamhi hwayo, mativi mana aenzane; uye mbimbi mbiri kuve kukwirira kwayo; nyanga dzayo ngadzibve pairi.
  2386. Exo 30:3 Uye uiputire negoridhe rakazara, pamusoro wayo, nenhivi dzayo dzakapoteredza, nenyanga dzayo; uiitirewo mupendero wegoridhe unopoteredza.
  2387. Exo 30:4 Uzviitirewo zvindori zviviri zvegoridhe pasi pamupendero wayo; pamapandi ayo maviri, uiite pamativi ayo maviri; uye zvichava nzvimbo dzezvibatiso zvekuitakura nazvo.
  2388. Exo 30:5 Uitewo makumbo ematanda emuakasia, ugoaputira negoridhe.
  2389. Exo 30:6 Zvino uchaiisa pamberi pevheiri riri paareka yechipupuriro, pamberi pechigaro chengoni chiri pamusoro pechipupuriro, pandichasangana newe.
  2390. Exo 30:7 Zvino Aroni achapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira pairi mangwanani oga-oga; kana achiri kugadzira mwenje, achazvipisa.
  2391. Exo 30:8 Zvino kana Aroni achitungidza mwenje madekwani, uchazvipisa, zvive zvipfungaidzo zvinonhuhwira rinhi narinhi pamberi paJehovha pamazera enyu.
  2392. Exo 30:9 Musapa pamusoro payo zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvisingazikanwi, kana chipo chinopiswa, kana chipo chechidyiwa; uye musadururira pamusoro payo chipo chinodururwa.
  2393. Exo 30:10 Zvino Aroni achaita chiyananiso panyanga dzayo kamwe pagore, neropa rechipo chezvivi chezviyananiso; kamwe pagore uchaita chiyananiso pairi pamazera enyu; chitsvene chezvitsvene kuna Jehovha.
  2394. Exo 30:11 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2395. Exo 30:12 Paunotora uwandu hwevana vaIsraeri, sekuverengwa kwavo, vachapa umwe neumwe rudzikinuro rwemweya weupenyu wake kuna Jehovha, kana uchivaverenga; kuti parege kuva nekurohwa pakati pavo pakuverengwa kwavo.
  2396. Exo 30:13 Vachapa izvi, umwe neumwe anodarika kune vakaverengwa: Hafu yeshekeri zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene (shekeri magera makumi maviri); hafu yeshekeri chive chipo kuna Jehovha.
  2397. Exo 30:14 Umwe neumwe anodarika kune vakaverengwa, kubva pamakore makumi maviri zvichikwira, achapa chipo chaJehovha.
  2398. Exo 30:15 Mufumi asapfuudza, nemurombo asatapudza pahafu yeshekeri, kana vachipa chipo chaJehovha kuitira mweya yeupenyu yenyu chiyananiso.
  2399. Exo 30:16 Zvino uchatora mari yezviyananiso kuvana vaIsraeri, ugoipa kushumiro yetende rekusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsraeri pamberi paJehovha, kuitira mweya yeupenyu yenyu chiyananiso.
  2400. Exo 30:17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2401. Exo 30:18 Uchaitawo dhishi rendarira, nechigadziko charo chendarira, rekugezera; ugoriisa pakati petende rekusangana nearitari, ndokuisamo mvura.
  2402. Exo 30:19 Zvino Aroni nevanakomana vake vachashamba maoko avo netsoka dzavo mariri.
  2403. Exo 30:20 Pakupinda kwavo mutende rekusangana, vachashamba nemvura, kuti vasafa, kana pakuswedera kwavo kuaritari kunoshumira, kupisira Jehovha chipo chemoto.
  2404. Exo 30:21 Saizvozvo vachashamba maoko avo nemakumbo avo, kuti vasafa; zvino chichava kwavari chimiso chekusingaperi, kwaari nekumbeu yake kusvika kumarudzi avo.
  2405. Exo 30:22 Jehovha wakataurazve kuna Mozisi achiti:
  2406. Exo 30:23 Iwe zvitorerewo zvinonhuhwira zvinokoshesesa, mura inoerera, mashekeri mazana mashanu, nekinamoni hafu yayo inotapira, ndiwo mashekeri mazana maviri nemakumi mashanu, nekaramusi inotapira, mashekeri mazana maviri nemakumi mashanu;
  2407. Exo 30:24 nekasia mashekeri mazana mashanu, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehini yemafuta emaorivhi.
  2408. Exo 30:25 Zvino uchaita nazvo mafuta matsvene ekuzodza, musanganiswa wechizodzwa, basa remugadziri wezvinonhuhwira; achava mafuta matsvene ekuzodza.
  2409. Exo 30:26 Zvino uchazodza nawo tende rekusangana neareka yechipupuriro,
  2410. Exo 30:27 netafura nemidziyo yayo yose, nechigadziko chemwenje nemidziyo yacho, nearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  2411. Exo 30:28 nearitari yechipo chinopiswa nemidziyo yayo yose, nedhishi nechigadziko charo.
  2412. Exo 30:29 Zvino uchazviita zvitsvene, kuti zvive zvitsvene zvezvitsvene; chose chinozvigunzva chichava chitsvene.
  2413. Exo 30:30 Zvino uchazodza Aroni nevanakomana vake, nekuvatsaura, kuti vandishumire paupristi.
  2414. Exo 30:31 Zvino uchataura kuvana vaIsraeri uchiti: Izvi zvichava kwandiri mafuta matsvene ekuzodza pamazera enyu.
  2415. Exo 30:32 Ngaarege kudirwa panyama yemunhu; uye zvichienderana nemagadzirirwo awo musaita saiwo; matsvene, achava matsvene kwamuri.
  2416. Exo 30:33 Ani nani unosanganisa akafanana nawo, kana anoisa amwe awo pamutorwa, ngaagurwe kubva pavanhu vekwake.
  2417. Exo 30:34 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvitorere miti inonhuhwira inotapira: Sitake, neonika, negabhano, miti inonhuhwira inotapira, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira; zvichava chikamu nechikamu.
  2418. Exo 30:35 Ugozviita zvinonhuhwira, mukanyiwa, basa remukanyi wezvinonhuhwira, zvakarungwa nemunyu, zvakazara, zvitsvene.
  2419. Exo 30:36 Zvino uchatswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugoisa zvimwe zvazvo pamberi pechipupuriro mutende rekusangana mandichasangana newe; zvive chitsvene chezvitsvene kwamuri.
  2420. Exo 30:37 Kana zviri zvinonhuhwira zvamunoita, musazviitira semagadzirirwo azvo; zvichava kwauri zvitsvene kuna Jehovha.
  2421. Exo 30:38 Ani nani anoita saizvo, kuti anhuhwire nazvo, ngaagurwe kubva pavanhu vekwake.
  2422. Exo 31:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2423. Exo 31:2 Ona, ndadana nezita Bhezareeri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, werudzi rwaJudha;
  2424. Exo 31:3 uye ndamuzadza neMweya waMwari, muuchenjeri nemukunzwisisa nemuruzivo nemumabasa ose eunyanzvi;
  2425. Exo 31:4 kuti aronge mano eunyanzvi, kubata negoridhe, uye nesirivha, uye nendarira,
  2426. Exo 31:5 nemukufombora mabwe kuaisa, nemukufombora matanda, kubata pamabasa ose eunyanzvi.
  2427. Exo 31:6 Uye ini, tarira ndapa pamwe naye Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, werudzi rwaDhani; nemumoyo weumwe neumwe wemoyo wakachenjera ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira,
  2428. Exo 31:7 zvinoti: Tende rekusangana, neareka yechipupuriro, nechigaro chengoni chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende,
  2429. Exo 31:8 netafura nemidziyo yayo, nechigadziko chemwenje chakazara nemidziyo yacho yose, nearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  2430. Exo 31:9 nearitari yechipo chinopiswa nemidziyo yayo yose, nedhishi nechigadziko charo,
  2431. Exo 31:10 nenguvo dzezvirukwa, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzevanakomana vake kushumira paupristi,
  2432. Exo 31:11 nemafuta ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira zvenzvimbo tsvene; vachaita zvichienderana nezvose zvandakakuraira.
  2433. Exo 31:12 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2434. Exo 31:13 Iwe taurawo kuvana vaIsraeri uchiti: Zvirokwazvo muchachengeta masabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemwi pamazera enyu, kuziva kuti ndini Jehovha anokuitai vatsvene.
  2435. Exo 31:14 Naizvozvo chengetai sabata, nokuti idzvene kwamuri; anorisvibisa achaurawa zvirokwazvo; nokuti ani nani anoita basa naro, mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pavanhu vekwake.
  2436. Exo 31:15 Mazuva matanhatu basa ngariitwe, asi nezuva rechinomwe, isabata rezororo, dzvene kuna Jehovha; ani nani anoita basa nezuva resabata achaurawa zvirokwazvo.
  2437. Exo 31:16 Naizvozvo vana vaIsraeri vachachengeta sabata, kuchengetedza sabata kumarudzi avo, ive sungano isingaperi.
  2438. Exo 31:17 Chiratidzo pakati pangu nevana vaIsraeri rinhi narinhi; nokuti nemazuva matanhatu Jehovha wakaita matenga nenyika, asi nezuva rechinomwe wakazorora, akavandudzwa.
  2439. Exo 31:18 Zvino wakapa kuna Mozisi, apedza kutaurirana naye pagomo reSinai, mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa emabwe aiva akanyorwa nemunwe waMwari.
  2440. Exo 32:1 Zvino vanhu vaona kuti Mozisi unononoka kuburuka kubva mugomo, vanhu vakazviunganidza kuna Aroni ndokuti kwaari: Simuka, tiitire vamwari vanotitungamirira, nokuti Mozisi uyu, murume wakatikwidza kubva munyika yeEgipita, hatizivi chaitika kwaari.
  2441. Exo 32:2 Zvino Aroni wakati kwavari: Kwaturai zvindori zvegoridhe zviri panzeve dzevakadzi venyu nedzevanakomana venyu nedzevanasikana venyu, muunze kwandiri.
  2442. Exo 32:3 Zvino vanhu vose vakakwatura zvindori zvegoridhe zvaiva panzeve dzavo, vakauisa kuna Aroni.
  2443. Exo 32:4 Iye ndokugamuchira paruoko rwavo, akazviumba nemudziyo wekuveza, akazviita mhuru yakaumbwa nekunyungudusa. Ivo ndokuti: Ndivo vamwari vako, Israeri, vakakukwidza kubva munyika yeEgipita.
  2444. Exo 32:5 Zvino Aroni aona wakavaka aritari pamberi payo; Aroni ndokudanidzira ndokuti: Mangwana kuchava nemutambo kuna Jehovha.
  2445. Exo 32:6 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani ndokupa zvipo zvinopiswa, vakauyawo nezvipo zvekuyananisa; vanhu ndokugara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.
  2446. Exo 32:7 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Enda, buruka, nokuti vanhu vako vawakakwidza kubva munyika yeEgipita vaora.
  2447. Exo 32:8 Vatsauka nekukurumidza kubva panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa nekunyungudusa ndokuinamata uye vakaibaira ndokuti: Ava ndivamwari vako, Israeri, vakakukwidza kubva munyika yeEgipita.
  2448. Exo 32:9 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ndaona vanhu ava, zvino tarira, vanhu vemitsipa mikukutu.
  2449. Exo 32:10 Zvinowo ndirege hako, kuti hasha dzangu dzivapfutire, kuti ndivapedze; asi iwe ndichakuita uve rudzi rukuru.
  2450. Exo 32:11 Asi Mozisi wakanyengetedza chiso chaJehovha Mwari wake ndokuti: Sei, Jehovha, hasha dzenyu dzichipfutira vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeEgipita nesimba guru uye neruoko rune simba?
  2451. Exo 32:12 VaEgipita vachataura sei vachiti: Wakavabudisira chakaipa, kuvauraira mumakomo, nekuvapedza kubva pachiso chenyika? Dzokai pahasha dzinotyisa, muzvidembe pachakaipa chinorwisa vanhu venyu.
  2452. Exo 32:13 Rangarirai Abhurahama, Isaka, naIsraeri, varanda venyu, kwamakazvipikira kwavari, ndokuti kwavari: Ndichawanza mbeu yenyu senyeredzi dzematenga; nenyika yose iyi, sezvandakareva, ndichaipa kumbeu yenyu; uye vachagara nhaka rinhi narinhi.
  2453. Exo 32:14 Zvino Jehovha akazvidemba pachakaipa chaaiva ati achaitira vanhu vake.
  2454. Exo 32:15 Zvino Mozisi wakatendeuka ndokuburuka kubva mugomo, nemahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanyorwa nhivi dzawo dzose; akanyorwa seri neseri.
  2455. Exo 32:16 Zvino mahwendefa aiva basa raMwari, nerunyoro rwaiva rwuri runyoro rwaMwari, rwakafomborwa pamahwendefa.
  2456. Exo 32:17 Joshua wakati anzwa mhere-mhere yevanhu vanopururudza, wakati kuna Mozisi: Kune mhere-mhere yehondo kumusasa.
  2457. Exo 32:18 Iye ndokuti: Haisi mhere-mhere yekudanidzira kwekukunda, uye haisi mhere-mhere yekudanidzira kwekukundwa; ndinonzwa mhere-mhere yekuimba.
  2458. Exo 32:19 Zvino zvakaitika paakangoswedera pamusasa, kuti wakaona mhuru nekutamba; hasha dzaMozisi ndokupfuta, ndokukanda mahwendefa kubva mumaoko ake, ndokuaputsa mujinga megomo.
  2459. Exo 32:20 Zvino wakatora mhuru yavaiva vaita, akapisa mumoto, akaikuya kuita upfu, akaikusha pamusoro pemvura, ndokunwisa vana vaIsraeri.
  2460. Exo 32:21 Mozisi ndokuti kuna Aroni: Vanhu ava vakuitirei kusvika wavaunzira chivi ichi chikuru?
  2461. Exo 32:22 Aroni ndokuti: Hasha dzashe wangu ngadzirege kupfuta; imwi munoziva vanhu, kuti vakarerekera kukutadza.
  2462. Exo 32:23 Nokuti vakati kwandiri: Tiitirei vamwari vachatitungamirira, nokuti Mozisi uyu, murume wakatikwidza kubva munyika yeEgipita, hatizivi chaitika kwaari.
  2463. Exo 32:24 Zvino ndakati kwavari: Ani nani ane goridhe ngavarikwature; zvino vakandipa; ini ndokurikandira mumoto, ndokubuda mhuru iyi.
  2464. Exo 32:25 Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu vasunungurwa, nokuti Aroni waiva avasunungura kuti vasekwe nevavengi vavo,
  2465. Exo 32:26 Mozisi wakanomira musuwo remusasa, ndokuti: Ani nani ari waJehovha, ngaauye kwandiri. Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.
  2466. Exo 32:27 Zvino wakati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Umwe neumwe ngaaise munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suwo muchienda kune rimwe suwo pakati pemusasa; umwe neumwe auraye hama yake, neumwe neumwe shamwari yake, neumwe neumwe munhu wekwake.
  2467. Exo 32:28 Vana vaRevhi vakaita maererano neshoko raMozisi; nemusi iwowo vakawa vanenge vane zvuru zvitatu kubva pavanhu.
  2468. Exo 32:29 Zvino Mozisi wakati: Zvitsaurei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu umwe neumwe arwe nemwanakomana wake uye nehama yake; kuti ape ropafadzo pamusoro penyu nhasi.
  2469. Exo 32:30 Zvino zvakaitika mangwana, kuti Mozisi wakati kuvanhu: Imwi makatadza nekutadza kukuru, asi zvino ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndichaitira kutadza kwenyu chiyananiso.
  2470. Exo 32:31 Mozisi akadzokera kuna Jehovha, ndokuti: Haiwa, vanhu ava vakatadza nekutadza kukuru, vakazviitira vamwari vegoridhe.
  2471. Exo 32:32 Zvino dai muchivakanganwira henyu kutadza kwavo; asi kana zvisina kudaro, ndidzimei henyu kubva pabhuku renyu ramakanyora.
  2472. Exo 32:33 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima kubva pabhuku rangu.
  2473. Exo 32:34 Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakakuudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi pazuva rekuranga kwangu, ndicharanga chivi chavo pamusoro pavo.
  2474. Exo 32:35 Jehovha akarova vanhu, nokuti vaita mhuru iyo Aroni yaakaita.
  2475. Exo 33:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Enda, kwira kubva pano, iwe nevanhu vawakakwidza kubva munyika yeEgipita, uende kunyika yandakapikira kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove, ndichiti: Kumbeu yako ndichaipa.
  2476. Exo 33:2 Uye ndichatuma mutumwa pamberi penyu, ndigodzinga vaKenani, vaAmori, nevaHiti, nevaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi,
  2477. Exo 33:3 muende kunyika inoyerera mukaka neuchi; nokuti handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vemitsipa mikukutu; zvimwe ndingakupedzai panzira.
  2478. Exo 33:4 Vanhu vakati vachinzwa shoko iri rakaipa, vakachema; uye hakuna munhu wakaisa paari zvishongo zvake.
  2479. Exo 33:5 Nokuti Jehovha wakati kuna Mozisi: Iti kuvana vaIsraeri: Muri vanhu vemitsipa mikukutu; ndikakwira pakati penyu chinguvana ndingakupedzai; naizvozvo ikozvino bvisai chishongo chenyu chibve kwamuri, ndizive chandingakuitirai.
  2480. Exo 33:6 Zvino vana vaIsraeri vakazvikurura zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.
  2481. Exo 33:7 Zvino Mozisi wakatora tende, ndokuridzika kunze kwemusasa, kure nemusasa, ndokuritumidza kuti tende rekusangana. Zvino zvakaitika kuti umwe neumwe waitsvaka Jehovha waibudira kutende rekusangana, raiva riri kunze kwemusasa.
  2482. Exo 33:8 Zvino zvakaitika pakubudira kwaMozisi kutende, kuti vanhu vose vaisimuka ndokumira umwe neumwe pamukova wetende rake, vakatarira shure kwaMozisi kusvika apinda mutende.
  2483. Exo 33:9 Zvino zvakaitika pakupinda kwaMozisi mutende, shongwe yegore yaiburuka imire pamukova wetende; Jehovha ndokutaura naMozisi.
  2484. Exo 33:10 Vanhu vose ndokuona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose ndokusimuka vakanamata umwe neumwe pamukova wetende rake.
  2485. Exo 33:11 Zvino Jehovha waitaura naMozisi chiso nechiso, semunhu anotaura kushamwari yake. Otendeukirazve kumusasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, waiva asingabvi mukati metende.
  2486. Exo 33:12 Zvino Mozisi wakati kuna Jehovha: Tarirai, makati kwandiri: Kwira nevanhu ava, asi imwi hamuna kundizivisa wamuchatuma neni. Zvakadaro imwi makati: Ndinokuziva nezita, uye wakawanawo nyasha pameso angu.
  2487. Exo 33:13 Zvino ikozvino kana ndakawana hangu nyasha pameso enyu, ndizivisei henyu nzira yenyu, kuti ndikuzivei, kuti ndiwane nyasha pameso enyu; uye onai kuti rudzi urwu ndivo vanhu venyu.
  2488. Exo 33:14 Zvino Jehovha wakati: Kuvapo kwangu kuchaenda newe, ndigokupa zororo.
  2489. Exo 33:15 Iye ndokuti kwaari: Kana kuvapo kwenyu kusingaendi neni, musatikwidza kubva pano.
  2490. Exo 33:16 Nokuti zvichazikanwawo sei kuti ndakawana nyasha pameso enyu, ini nevanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu here? Zvino tive vakatsaurwa, ini nevanhu venyu, kubva pavanhu vose vari pachiso chenyika.
  2491. Exo 33:17 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pameso angu, uye ndinokuziva nezita.
  2492. Exo 33:18 Iye ndokuti: Ndiratidzei henyu kubwinya kwenyu.
  2493. Exo 33:19 Jehovha ndokuti: Ini ndichapfuudza kunaka kwangu kose pamberi pechiso chako, uye ndichadanidzira zita raJehovha pamberi pako. Zvino ndichanzwira nyasha wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi wandichanzwira tsitsi.
  2494. Exo 33:20 Akatiwo: Haugoni kuona chiso changu, nokuti munhu haangandioni akararama.
  2495. Exo 33:21 Jehovha akatiwo: Tarira pane nzvimbo kwandiri pauchamira pabwe.
  2496. Exo 33:22 Zvino zvichaitika pachapfuura kubwinya kwangu kuti ndichakuisa mumukaha webwe, ndigokufukidza neruoko rwangu ndichipfuura.
  2497. Exo 33:23 Zvino ndichabvisa ruoko rwangu, ugoona zveshure kwangu; asi chiso changu hachionekwi.
  2498. Exo 34:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvivezere mahwendefa maviri emabwe akafanana neekutanga; ndigonyora pamahwendefa mashoko aiva ari pamahwendefa ekutanga awaputsa.
  2499. Exo 34:2 Uye ugadzirire mangwanani, ugokwira mugomo reSinai mangwanani, ugomira pamberi pangu ipapo pamusoro wegomo.
  2500. Exo 34:3 Zvino kusakwira munhu newe, uye kusava nemunhu anoonekwa pagomo rose; uye makwai nemombe zvisafura pamberi pegomo iri.
  2501. Exo 34:4 Zvino wakaveza mahwendefa maviri akafanana neekutanga, Mozisi ndokumuka mangwanani-ngwanani ndokukwira mugomo reSinai, Jehovha sezvaaiva amuraira, ndokutora mahwendefa maviri emabwe muruoko rwake.
  2502. Exo 34:5 Jehovha ndokuburuka ari mugore, ndokuzvimisapo naye, ndokudana kuzita raJehovha.
  2503. Exo 34:6 Jehovha ndokupfuura pamberi pake, ndokudanidzira, achiti: Jehovha, Jehovha Mwari, ane nyasha netsitsi, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji nechokwadi,
  2504. Exo 34:7 achichengetera ngoni vane zvuru, achikanganwira kuipa nekudarika nechivi, asi asingashaisisi mhosva ane mhosva, achitsiva kuipa kwemadzibaba pavana, uye pavana vevana, kusvika kuzera rechitatu nerechina.
  2505. Exo 34:8 Mozisi ndokukurumidza, ndokukotamira pasi, ndokunamata.
  2506. Exo 34:9 Zvino wakati: Kana ndakawana hangu nyasha pameso enyu, Ishe wangu, Ishe wangu ngaafambe hake pakati pedu, nokuti rudzi rwemitsipa mikukutu; mukanganwirewo kuipa kwedu nechivi chedu, mutitore kuva nhaka.
  2507. Exo 34:10 Zvino wakati: Tarira, ndinoita sungano; pamberi pevanhu vako vose ndichaita zvishamiso zvisina kumbosikwa panyika yose, kana kundudzi dzose; nevanhu vose vauri pakati pavo vachaona basa raJehovha, nokuti chinhu chinotyisa chandichaita newe.
  2508. Exo 34:11 Uzvichengetedzere zvandinokuraira zuva rino. Tarira, ndinodzinga kubva pamberi pako vaAmori, nevaKenani, nevaHiti, nevaPerezi, nevaHivhi, nevaJebhusi.
  2509. Exo 34:12 Uzvichenjerere zvimwe ungaita sungano nevagari venyika maunoenda, zvimwe uve musungo pakati pako.
  2510. Exo 34:13 Asi muchaputsa aritari dzavo, nekuputsanya shongwe dzavo dzezvifananidzo, nekutema matanda avo ekunamata nawo;
  2511. Exo 34:14 nokuti haunganamati umwe mwari, nokuti Jehovha zita rake rinova Godo, ndiMwari ane godo;
  2512. Exo 34:15 zvimwe ungaita sungano nevagari venyika, uye vachipata vachitevera vamwari vavo, uye vachibaira kuna vamwari vavo, nekukudana ugodya pachibairo chavo;
  2513. Exo 34:16 ukatorera vanakomana vako pavakunda vavo; kana vakunda vavo vachifeva vachitevera vamwari vavo, vachifevesa vanakomana vako vachitevera vamwari vavo.
  2514. Exo 34:17 Usazviitira vamwari vakaumbwa nekunyungudusa.
  2515. Exo 34:18 Mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa uchauchengetedza. Mazuva manomwe uchadya zvingwa zvisina kuviriswa sezvandakakuraira panguva yakatarwa yemwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi waAbhibhi wakabuda kubva muEgipita.
  2516. Exo 34:19 Chose chinozarura chizvaro ndechangu, nedangwe rimwe nerimwe pachipfuwo chikono, nzombe nemakwai.
  2517. Exo 34:20 Asi dangwe rembongoro ucharidzikinura negwayana; kanawo usingaridzikinuri, zvino uchavhuna mutsipa waro. Dangwe rimwe nerimwe revanakomana vako ucharidzikinura. Kusava neanoonekwa pamberi pangu asina chinhu.
  2518. Exo 34:21 Mazuva matanhatu uchabata, asi nezuva rechinomwe uchazorora; nenguva yekurima nepakukohwa uchazorora.
  2519. Exo 34:22 Zvino uchachengetedza mutambo wemavhiki, zvibereko zvitsva zvegoho regorosi, nemutambo wekuunganidza pakudzoka kwegore.
  2520. Exo 34:23 Katatu mugore vanhurume vako vose vachaonekwa pamberi paShe Jehovha, Mwari waIsraeri.
  2521. Exo 34:24 Nokuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndigokurisa miganhu yako; uye hakuna munhu achachiva nyika yako pakukwira kwako katatu pagore kunoonekwa pamberi paJehovha, Mwari wako.
  2522. Exo 34:25 Usapa ropa rechibairo changu pamwe nechakaviriswa; uye chibairo chemutambo wepasika chisasara kusvika mangwanani.
  2523. Exo 34:26 Zvakanakisisa zvezvibereko zvekutanga zvemunda wako uchazviunza kuimba yaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
  2524. Exo 34:27 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvinyorere mashoko awa, nokuti ndaita sungano newe naIsraeri sezvinoreva mashoko iwawa.
  2525. Exo 34:28 Zvino wakavapo naJehovha mazuva makumi mana neusiku makumi mana; haana kudya chingwa, haana kunwa mvura. Zvino wakanyora pamahwendefa mashoko esungano, mirairo gumi.
  2526. Exo 34:29 Zvino zvakaitika Mozisi paaiburuka kubva mugomo reSinai, mahwendefa maviri echipupuriro ari muruoko rwaMozisi, paaiburuka kubva mugomo, kuti Mozisi waiva asingazivi kuti ganda rechiso chake raiva richibwinya zvaaiva ataura naye.
  2527. Exo 34:30 Zvino Aroni nevana vosewo vaIsraeri vakati vachiona Mozisi, tarira, ganda rechiso chake rakabwinya; zvino vakatya kuswedera kwaari.
  2528. Exo 34:31 Zvino Mozisi wakavadana; uye Aroni nevatungamiriri vose veungano vakadzokera kwaari; Mozisi ndokutaura navo.
  2529. Exo 34:32 Zvino shure kweizvozvo vana vaIsraeri vose vakaswedera; iye ndokuvaraira zvose Jehovha zvaaiva amuudza pagomo reSinai.
  2530. Exo 34:33 Zvino Mozisi apedza kutaura navo wakaisawo chifukidzo pachiso chake.
  2531. Exo 34:34 Zvino pakupinda kwaMozisi pamberi paJehovha kutaura naye, waibvisa chifukidzo kusvika abuda; zvino abuda wakataura kuvana vaIsraeri zvaarairwa.
  2532. Exo 34:35 Zvino vana vaIsraeri vakaona chiso chaMozisi, kuti ganda rechiso chaMozisi raibwinya; Mozisi ndokudzosera chifukidzo pachiso chake, kusvika apinda kunotaura naye.
  2533. Exo 35:1 Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yevana vaIsraeri, ndokuti kwavari: Awa mashoko Jehovha aakaraira kuti [mu]aite.
  2534. Exo 35:2 Mazuva matanhatu basa ngariitwe, asi nezuva rechinomwe rive kwamuri dzvene, sabata rekuzorora kuna Jehovha; ani nani anobata basa naro achaurawa.
  2535. Exo 35:3 Musavesa moto mumisha yenyu yose nezuva resabata.
  2536. Exo 35:4 Mozisi ndokutaura kuungano yose yevana vaIsraeri achiti: Ndicho chinhu Jehovha chaakaraira achiti:
  2537. Exo 35:5 Torai pakati penyu chipo kuna Jehovha; ani nani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chipo chaJehovha, goridhe, nesirivha, nendarira,
  2538. Exo 35:6 neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
  2539. Exo 35:7 nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nematehwe ezvikumba, nematanda emuakasia,
  2540. Exo 35:8 nemafuta emwenje, nezvinonhuhwira zvemafuta ekuzodza, nezvezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira,
  2541. Exo 35:9 nemabwe eonikisi, nemabwe ekuiswa paefodhi nepahombodo yechipfuva.
  2542. Exo 35:10 Nevose vane moyo yakachenjera pakati penyu vachauya, vagoita zvose Jehovha zvaakaraira:
  2543. Exo 35:11 Tabhenakeri, tende rayo, nechifukidzo chayo, zvikorekedzo zvayo, nemapuranga ayo, mbariro dzayo, mbiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
  2544. Exo 35:12 areka, nezvibatiso zvayo, chigaro chengoni, nevheiri rekufukidza;
  2545. Exo 35:13 tafura, nezvibatiso zvayo, nemidziyo yayo yose, nechingwa chekuratidza;
  2546. Exo 35:14 nechigadziko chemwenje wechivhenekeso, nemidziyo yacho, nemwenje yacho, nemafuta echivhenekeso,
  2547. Exo 35:15 nearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nezvibatiso zvayo, nemafuta ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira, nechiremberedzwa chemukova pamukova wetabhenakeri;
  2548. Exo 35:16 aritari yechipo chekupiswa, nesefa yendarira yainayo, zvibatiso zvayo, nemidziyo yayo yose; dhishi, nechigadziko charo;
  2549. Exo 35:17 zviremberedzwa zvechivanze, mbiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechiremberedzwa chesuwo rechivanze;
  2550. Exo 35:18 mbambo dzetabhenakeri, nembambo dzechivanze, netambo dzadzo;
  2551. Exo 35:19 nguvo dzebasa rakarukwa dzekushumira panzvimbo tsvene, nguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzevanakomana vake dzekushumira paupristi.
  2552. Exo 35:20 Zvino ungano yose yevana vaIsraeri yakabuda pamberi paMozisi.
  2553. Exo 35:21 Zvino vakauya, umwe neumwe moyo wake wakamumutsa, neumwe neumwe mweya wake wakamutendesa, vakauya nechipo chaJehovha kubasa retende rekusangana nekushumira kwaro kose, nekunguvo tsvene.
  2554. Exo 35:22 Zvino vakauya varume pamwe nevakadzi, vose vemoyo inoda, vakauya nezvishongo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvekusimbisa, nezvishongo zvemaoko, zvinhu zvose zvegoridhe; nemunhu wose wakapa chipo chegoridhe kuna Jehovha.
  2555. Exo 35:23 Zvino murume umwe neumwe wakawanikwa ane ruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka, nemvere dzembudzi, nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nematehwe ezvikumba, vakazviunza.
  2556. Exo 35:24 Umwe neumwe wakapa chipo chesirivha nendarira wakauya nechipo chaJehovha; neumwe neumwe wakawanikwa ane matanda emuakasia ebasa ripi neripi reshumiro wakaunza.
  2557. Exo 35:25 Nevakadzi vose vaiva nemoyo yakachenjera vakaruka nemaoko avo, vakaunza zvavaiva varuka, zveruvara rwedenga, zveruvara rwehute, zvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka.
  2558. Exo 35:26 Zvino vakadzi vose moyo yavo yakavamutsira muuchenjeri vakaruka mvere dzembudzi.
  2559. Exo 35:27 Nevatungamiriri vakauya nemabwe eonikisi nemabwe ekuiswa paefodhi nepahombodo yechipfuva,
  2560. Exo 35:28 nezvinonhuhwira nemafuta, echivhenekeso, neemafuta ekuzodza, neezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira.
  2561. Exo 35:29 Vana vaIsraeri vakauya nechipo chechido kuna Jehovha; murume umwe neumwe nemukadzi wemoyo wake wakamutendesa kuvigira zvebasa rimwe nerimwe Jehovha raakaraira kuitwa neruoko rwaMozisi.
  2562. Exo 35:30 Mozisi ndokuti kuvana vaIsraeri: Tarirai, Jehovha wakadana nezita Bhezareeri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, werudzi rwaJudha;
  2563. Exo 35:31 ndokumuzadza neMweya waMwari, muuchenjeri, mukunzwisisa nemuruzivo uye mubasa ripi neripi,
  2564. Exo 35:32 kuti afunge mano eumhizha, kubata negoridhe, uye nesirivha, uye nendarira,
  2565. Exo 35:33 nemukuveza mabwe ekuisa, nemukuveza matanda, kubata mumabasa ose eumhizha.
  2566. Exo 35:34 Uye wakaisa mumoyo make kudzidzisa, iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, werudzi rwaDhani.
  2567. Exo 35:35 Akavazadza nenjere dzemoyo, kubata basa rose remufombori, neremuruki, neremusoni wezvakarukwa, paruvara rwedenga, neparuvara rwehute, pazvitsvuku, nepamucheka wakaisvonaka, neremuruki; vanobata mabasa ose, uye vanofunga mabasa eumhizha.
  2568. Exo 36:1 Bhezareeri naOhoriabhu nemurume umwe neumwe wemoyo wakachenjera, kwaari Jehovha kwaakapa njere nekunzwisisa kuziva kubata basa rimwe nerimwe reshumiro yenzvimbo tsvene vakaita zvichienderana nezvose Jehovha zvaaiva araira.
  2569. Exo 36:2 Zvino Mozisi wakadana Bhezareeri naOhoriabhu nemurume umwe neumwe wemoyo wakachenjera, mumoyo make Jehovha maakaisa njere, umwe neumwe ane moyo wake wakamumutsa kuswedera pedo kubasa kuriita.
  2570. Exo 36:3 Ndokutora kubva pamberi paMozisi chipo chose vana vaIsraeri chavaiva vauisira basa reshumiro yenzvimbo tsvene kuiita. Vakauisawozve kwaari zvipo zvepachena mangwanani oga-oga.
  2571. Exo 36:4 Zvino vakauya vose vakachenjera, vakaita basa rose renzvimbo tsvene, umwe neumwe kubva kubasa rake ravakaita.
  2572. Exo 36:5 Zvino vakataura kuna Mozisi, vachiti: Vanhu vanouisa zvinopfuura pane zvakakwana zveshumiro yebasa Jehovha raakaraira kuita.
  2573. Exo 36:6 Mozisi ndokuraira kuti vapfuudze inzwi kumusasa richiti: Kusava nemurume kana mukadzi anoitazve basa nechipo chenzvimbo tsvene. Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuunza.
  2574. Exo 36:7 Nokuti zvaishandiswa zvakavakwanira basa rose kuriita, kusvika zvasara.
  2575. Exo 36:8 Zvino umwe neumwe wemoyo wakachenjera pakati pevakaita basa vakaita tabhenakeri nemaketeni gumi emucheka wakapfava wakaisvonaka wakarukwa, neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku; wakaaita nemakerubhi, basa reumhizha.
  2576. Exo 36:9 Kureba kweketeni rimwe kwaiva mbimbi makumi maviri nesere, neupamhi hweketeni rimwe mbimbi ina; maketeni ose aiva neukuru humwe.
  2577. Exo 36:10 Zvino wakabatanidza maketeni mashanu rimwe pane rimwe, neamwe maketeni mashanu wakaabatanidza rimwe pane rimwe.
  2578. Exo 36:11 Wakaitawo zvishwe zveruvara rwedenga pamupendero werimwe keteni pamucheto paakabatana; akaita saizvozvo parutivi rwekupedzisira rweketeni parakabatanidza rechipiri.
  2579. Exo 36:12 Wakaita zvishwe makumi mashanu paketeni rimwe, nezvishwe makumi mashanu wakazviita pamupendero weketeni paiva pakabatanidzwa rechipiri; zvishwe zvakatarisana.
  2580. Exo 36:13 Zvino wakaita zvikorekedzo makumi mashanu zvegoridhe, akabatanidza maketeni rimwe pane rimwe nezvikorekedzo; naizvozvo akava tabhenakeri imwe.
  2581. Exo 36:14 Akaitawo maketeni emvere dzembudzi kuva tende pamusoro petabhenakeri; akaaita maketeni gumi nerimwe.
  2582. Exo 36:15 Kureba kweketeni rimwe kwaiva mbimbi makumi matatu, uye upamhi hweketeni rimwe mbimbi ina; maketeni gumi nerimwe aiva neukuru humwe.
  2583. Exo 36:16 Zvino wakabatanidza maketeni mashanu oga, uye maketeni matanhatu oga.
  2584. Exo 36:17 Zvino wakaita zvishwe makumi mashanu pamupendero wekupedzisira weketeni pakabatanidzwa; wakaitawo zvishwe makumi mashanu pamupendero weketeni rinobatanidza rechipiri.
  2585. Exo 36:18 Wakaitawo zvikorekedzo makumi mashanu zvendarira zvekubatanidza tende, kuti rive rimwe.
  2586. Exo 36:19 Zvino wakaitira tende chifukidzo nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nechifukidzo chematehwe ezvikumba zvichikwira.
  2587. Exo 36:20 Zvino wakaita mapuranga etabhenakeri, matanda emuakasia amire.
  2588. Exo 36:21 Kureba kwepuranga kwaiva mbimbi gumi, neupamhi hwepuranga rimwe hwaiva mbimbi nehafu.
  2589. Exo 36:22 Puranga rimwe raiva nezvibato zviviri, zvakaparadzana zvakaenzana; saizvozvo wakaitira mapuranga ose etabhenakeri.
  2590. Exo 36:23 Wakaitawo mapuranga etabhenakeri, mapuranga makumi maviri edivi rekuchamhembe kwakatarisa kuchamhembe.
  2591. Exo 36:24 Wakaitawo zvigadziko zvesirivha makumi mana pasi pemapuranga makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga pazvibato zvaro zviviri.
  2592. Exo 36:25 Zvino wakaita mapuranga makumi maviri kune rumwe rutivi rwetabhenakeri rwakatarisa kumaodzanyemba,
  2593. Exo 36:26 nezvigadziko zvawo makumi mana zvesirivha; zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga.
  2594. Exo 36:27 Wakaitirawo mativi etabhenakeri akatarisa kumavirazuva mapuranga matanhatu.
  2595. Exo 36:28 Wakaitirawo makona mapuranga maviri etabhenakeri kumashure.
  2596. Exo 36:29 Aiva ari mapatya pasi, akabatana akaperera kumusoro wawo, nechindori chimwe; saizvozvo wakaitira maviri awo pamakona maviri.
  2597. Exo 36:30 Zvino kwaiva nemapuranga masere, uye zvigadziko zvawo zvesirivha zvaiva zvigadziko gumi nezvitanhatu; zvigadziko zviviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe.
  2598. Exo 36:31 Wakaitawo mbariro nematanda emuakasia; shanu dzemapuranga erutivi rumwe rwetabhenakeri,
  2599. Exo 36:32 nembariro shanu dzemapuranga erimwe divi retabhenakeri, nembariro shanu dzemapuranga etabhenakeri, kurutivi rweshure kwakatarisa kumavirazuva.
  2600. Exo 36:33 Wakaitawo mbariro yepakati igure nepakati pemapuranga kubva kumucheto kusvika kumucheto.
  2601. Exo 36:34 Mapurangawo wakaaputira negoridhe, nezvindori zvawo wakazviita negoridhe, zviri nzvimbo dzembariro; akaputirawo mbariro negoridhe.
  2602. Exo 36:35 Wakaitawo vheiri reruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa; akariita nemakerubhi, basa renyanzvi.
  2603. Exo 36:36 Akariitirawo mbiru ina nematanda emuakasia, ndokudziputira negoridhe; zvikorekedzo zvadzo zviri zvegoridhe, akadziumbira nekunyungudusa zvigadziko zvina zvesirivha.
  2604. Exo 36:37 Akaitirawo mukova wetende chifukidzo chezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa; basa remusoni;
  2605. Exo 36:38 uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; ndokuputira misoro yadzo nezvisungo zvadzo negoridhe; nezvigadziko zvadzo zvishanu zviri zvendarira.
  2606. Exo 37:1 Zvino Bhezareeri wakaita areka yematanda emuakasia; kureba kwayo mbimbi mbiri nehafu, neupamhi hwayo mbimbi nehafu, nekukwirira kwayo mbimbi nehafu.
  2607. Exo 37:2 Zvino akaiputira negoridhe rakazara mukati nekunze, akaiitira mupendero wegoridhe wakapoteredza.
  2608. Exo 37:3 Akaiumbira nekunyungudusa zvindori zvina zvegoridhe pamakumbo ayo mana; kuti zvindori zviviri zvaiva parutivi rwayo rumwe, nezvindori zviviri pane rumwe rutivi rwayo.
  2609. Exo 37:4 Wakaitawo zvibatiso nematanda emuakasia, akazviputira negoridhe.
  2610. Exo 37:5 Ndokupinza zvibatiso muzvindori panhivi dzeareka kutakura areka.
  2611. Exo 37:6 Zvino wakaita chigaro chengoni chegoridhe rakazara; kureba kwacho mbimbi mbiri nehafu, uye upamhi hwacho mbimbi nehafu.
  2612. Exo 37:7 Wakaitawo makerubhi maviri egoridhe; akaaita nebasa rakapfurwa, kubva pamicheto miviri yechigaro chengoni;
  2613. Exo 37:8 kerubhi rimwe pamucheto parutivi urwu, nekerubhi rimwe pane umwe mucheto parutivi urwu; akaita makerubhi pachigaro chengoni, pamicheto miviri yacho.
  2614. Exo 37:9 Zvino makerubhi aitandavarira mapapiro kumusoro, aifukidza nemapapiro awo pachigaro chengoni, uye zviso zvawo zvakatarisana, zviso zvemakerubhi zvaiva zvakatarisa kuchigaro chengoni.
  2615. Exo 37:10 Wakaitawo tafura yematanda emuakasia; kureba kwayo mbimbi mbiri, neupamhi hwayo mbimbi, nekukwirira kwayo mbimbi nehafu.
  2616. Exo 37:11 Zvino wakaiputira negoridhe rakazara; akaiitirawo mupendero wegoridhe wakapoteredza;
  2617. Exo 37:12 wakaiitirawo mukombero wakapoteredza une upamhi sehwechanza; ndokuitira mukombero wayo mupendero wegoridhe wakapoteredza.
  2618. Exo 37:13 Zvino wakaiumbira nekunyungudusa zvindori zvina zvegoridhe, ndokuisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana.
  2619. Exo 37:14 Pedo nemukombero paiva nezvindori, nzvimbo dzezvibatiso zvekutakura tafura.
  2620. Exo 37:15 Wakaitawo zvibatiso zvematanda emuakasia, ndokuzviputira negoridhe, kutakura tafura.
  2621. Exo 37:16 Akaitawo midziyo yaiva pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nemadhishi ayo ekudira nawo, zvegoridhe rakazara.
  2622. Exo 37:17 Wakaitawo chigadziko chemwenje chegoridhe rakazara; nebasa rakapfurwa wakaita chigadziko chemwenje; chigadziko chacho, nematavi acho, mbiya dzacho, mabumburudzi acho, nemaruva acho; zvaiva pachiri.
  2623. Exo 37:18 Nematavi matanhatu achibuda kumativi acho, matavi matatu echigadziko chemwenje kubva parutivi rwumwe rwacho, nematavi matatu echigadziko chemwenje kubva parumwe rutivi rwacho.
  2624. Exo 37:19 Mbiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi padavi rimwe, bumburudzi neruva; nembiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi pane rimwe davi, bumburudzi neruva; saizvozvo kumatavi matanhatu anobuda pachigadziko chemwenje.
  2625. Exo 37:20 Uye pachigadziko chemwenje paiva nembiya ina dzakaumbwa semaruva emuarimondi, mabumburudzi awo, nemaruva awo;
  2626. Exo 37:21 nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, zvichienderana nematavi matanhatu akabuda kubva pachiri.
  2627. Exo 37:22 Mabumburudzi azvo nematavi azvo aibva pachiri; zvose zvacho zvikava basa rimwe rakapfurwa regoridhe rakazara.
  2628. Exo 37:23 Akaitawo mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nezvaenga zvemadota zvacho, zvegoridhe rakazara.
  2629. Exo 37:24 Akachiita netarenda regoridhe rakazara, nemidziyo yacho yose.
  2630. Exo 37:25 Wakaitawo aritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira nematanda emuakasia; kureba kwayo kwaiva mbimbi, neupamhi hwayo mbimbi, nhivi ina dzakaenzana; uye kukwirira kwayo mbimbi mbiri; nyanga dzayo dzaibva pairi.
  2631. Exo 37:26 Zvino wakaiputira negoridhe rakazara, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzakapoteredza, nenyanga dzayo; akaiitirawo mupendero wegoridhe wakapoteredza.
  2632. Exo 37:27 Akaiitirawo zvindori zviviri zvegoridhe pasi pamupendero wayo, pamakona ayo maviri, panhivi dzayo mbiri, kuva nzvimbo dzezvibatiso zvekuitakura nazvo.
  2633. Exo 37:28 Akaitawo zvibatiso zvematanda emuakasia, akaaputira negoridhe.
  2634. Exo 37:29 Akaitawo mafuta matsvene ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvakazara zvemiti inotapira, basa remugadziri wezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  2635. Exo 38:1 Zvino wakaita aritari yechipo chinopiswa nematanda emuakasia; kureba kwayo mbimbi shanu, neupamhi hwayo mbimbi shanu, nhivi ina dzakaenzana, nekukwirira kwayo mbimbi nhatu.
  2636. Exo 38:2 Wakaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzaibva pairi; ndokuiputira nendarira.
  2637. Exo 38:3 Wakaitawo midziyo yose yearitari, hari, nefoshoro, nendiro dzekusasa, zvibaiso zvenyama, nemakango epamoto; midziyo yayo yose akaiita nendarira.
  2638. Exo 38:4 Akaitirawo aritari sefa yendarira, basa remumbure, pasi pemucheto wayo, kubva pazasi kusvika pakati payo.
  2639. Exo 38:5 Zvino wakaumbira nekunyungudusa zvindori zvina kumicheto mina yesefa yendarira, nzvimbo dzezvibatiso.
  2640. Exo 38:6 Wakaitawo zvibatiso zvematanda emuakasia ndokuzviputira nendarira.
  2641. Exo 38:7 Zvino wakaisa zvibatiso muzvindori panhivi dzearitari kuitakura nazvo; akaita ive mhango nemapuranga.
  2642. Exo 38:8 Akaitawo dhishi rendarira, negumbo raro rendarira, kubva pazvionioni zvevakadzi vanoungana vaiungana pamukova wetende rekusangana.
  2643. Exo 38:9 Wakaitawo chivanze; kurutivi rwechamhembe kwakatarisa kuchamhembe kwaiva kune zviremberedzwa zvechivanze zvemucheka wakaisvonaka wakarukwa, mbimbi zana;
  2644. Exo 38:10 mbiru dzayo dzaiva makumi maviri, nezvigadziko zvadzo makumi maviri zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvaiva zvesirivha.
  2645. Exo 38:11 Zvino kurutivi rwemaodzanyemba kwaiva nemakubhiti zana, mbiru dzayo makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvendarira makumi maviri; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvaiva zvesirivha.
  2646. Exo 38:12 Zvino kurutivi rwemavirazuva kwaiva nezviremberedzwa zvembimbi makumi mashanu; mbiru dzazvo gumi, nezvigadziko zvadzo gumi; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvaiva zvesirivha.
  2647. Exo 38:13 Zvino kurutivi rwemabvazuva kwakatarisa kumabvazuva kwaiva nembimbi makumi mashanu.
  2648. Exo 38:14 Zviremberedzwa zvedivi rimwe zvaiva mbimbi gumi neshanu, mbiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
  2649. Exo 38:15 Nekurumwe rutivi rwesuwo rechivanze apa neuko kwaiva nezviremberedzwa mbimbi gumi neshanu, mbiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
  2650. Exo 38:16 Zviremberedzwa zvose zvechivanze zvaipoteredza zvaiva zvemucheka wakaisvonaka wakarukwa.
  2651. Exo 38:17 Nezvigadziko zvembiru zvaiva ndarira, zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvaiva sirivha; nechifukidzo chemisoro yayo chaiva sirivha; nembiru dzose dzechivanze dzaiva dzakasunganidzwa nesirivha.
  2652. Exo 38:18 Nechiremberedzwa chesuwo rechivanze chaiva basa remusoni, zveruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kuri mbimbi makumi maviri, nekukwirira paupamhi mbimbi shanu, zvichienderana nezviremberedzwa zvechivanze.
  2653. Exo 38:19 Zvino mbiru dzayo dzaiva ina, nezvigadziko zvadzo zvendarira zvina; zvikorekedzo zvadzo zviri sirivha, nechifukidzo chemisoro yadzo nezvisungo zvadzo zviri sirivha.
  2654. Exo 38:20 Nehoko dzose dzetabhenakeri nedzechivanze dzakapoteredza dzaiva ndarira.
  2655. Exo 38:21 Ndihwo uwandu hwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, zvakaverengwa maererano nekuraira kwaMozisi, basa revaRevhi neruoko rwaItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
  2656. Exo 38:22 NaBhezareeri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, werudzi rwaJudha, wakaita zvose Jehovha zvaakaraira Mozisi.
  2657. Exo 38:23 Zvino pamwe naye paiva naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, werudzi rwaDhani, mufombori nemubati wakachenjera, nemusoni wezveruvara rwedenga, newezveruvara rwehute, newezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka.
  2658. Exo 38:24 Goridhe rose raishandiswa pabasa, pabasa rose repaimba tsvene, iro goridhe rezvipo, raiva matarenda makumi maviri nemapfumbamwe, nemashekeri mazana manomwe nemakumi matatu, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene.
  2659. Exo 38:25 Nesirivha yaivo vaiva vachiverengwa paungano yaiva matarenda zana, nemashekeri churu chimwe nemazana manomwe nemakumi manomwe nemashanu, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene.
  2660. Exo 38:26 Bheka pamusoro, ndiro hafu yeshekeri, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene, kune umwe neumwe wakadarika kune vakaverengwa, kubva pamakore makumi maviri zvichikwira, vaiva zvuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.
  2661. Exo 38:27 Uye kwaiva nematarenda esirivha zana ekuumbisa nekunyungudusa zvigadziko zvepaimba tsvene nezvigadziko zvevheiri; zvigadziko zana zvematarenda zana, tarenda rechigadziko.
  2662. Exo 38:28 Nemashekeri churu nemazana manomwe nemakumi manomwe nemashanu wakaitira mbiru zvikorekedzo, akaputira misoro yadzo, nekudziitira zvisungo.
  2663. Exo 38:29 Nendarira yechipo yaiva matarenda makumi manomwe nemashekeri zvuru zviviri nemazana mana.
  2664. Exo 38:30 Nayo wakaita zvigadziko zvemukova wetende rekusangana, nearitari yendarira, nesefa yendarira yayaiva nayo, nemidziyo yose yepaaritari,
  2665. Exo 38:31 nezvigadziko zvechivanze chakapoteredza, nezvigadziko zvesuwo rechivanze, nehoko dzose dzetabhenakeri, nehoko dzose dzechivanze chakapoteredza.
  2666. Exo 39:1 Zvino nezveruvara rwedenga nezveruvara rwehute nezvitsvuku vakaita nguvo dzebasa kuita basa panzvimbo tsvene; uye vakaita nguvo tsvene dzaiva dzaAroni, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  2667. Exo 39:2 Wakaitawo efodhi yegoridhe, ruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa.
  2668. Exo 39:3 Vakapfurawo goridhe kuita mabapa matete, ndokugura kuita rwonzi kubata pakati pezveruvara rwedenga, nepakati pezveruvara rwehute, nepakati pezvitsvuku, nepakati pemucheka wakaisvonaka, basa renyanzvi.
  2669. Exo 39:4 Vakaiitira mapandi emafudzi akabatanidzwa; akabatanidzwa pamicheto yayo miviri.
  2670. Exo 39:5 Nebhanhire reefodhi rayo raiva pamusoro payo, raiva pariri; zvichienderana nebasa raro regoridhe, zveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2671. Exo 39:6 Vakagadzirawo mabwe eonikisi akaputirwa muzvirukwa zvegoridhe, afomborwa sekufomborwa kwechidhindo, nemazita evana vaIsraeri.
  2672. Exo 39:7 Zvino wakaaisa pamapandi emafudzi eefodhi, ave mabwe echirangaridzo kuvana vaIsraeri, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2673. Exo 39:8 Wakaitawo hombodo yechipfuva, basa renyanzvi, sebasa reefodhi; regoridhe, zveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa.
  2674. Exo 39:9 Yaiva yakaenzana mativi mana; vakaita hombodo yechipfuva yakapetwa kaviri; kureba kwayo kuri chanza, neupamhi hwayo chanza, yakapetwa kaviri.
  2675. Exo 39:10 Vakaisawo mairi mitsara mina yemabwe: Musara wesadhio, topasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wekutanga.
  2676. Exo 39:11 Nemusara wechipiri emaradhi, safiri, nedhaimani.
  2677. Exo 39:12 Nemusara wechitatu haikindi, neagati, neametisi.
  2678. Exo 39:13 Nemusara wechina bheriri, neonikisi, nejasipiri. Zvakaputirwa muzvirukwa zvegoridhe muzvitanga zvazvo.
  2679. Exo 39:14 Nemabwe zvichienderana nemazita evana vaIsraeri, gumi nemaviri, zvichienderana nemazita avo; kufombora kwechidhindo, rimwe nerimwe nezita raro, zvichienderana nemarudzi gumi nemaviri.
  2680. Exo 39:15 Nepahombodo yechipfuva vakaita maketani pamicheto, basa rakamonwa regoridhe rakazara.
  2681. Exo 39:16 Vakaitawo zvirukwa zviviri zvegoridhe, zvindori zviviri zvegoridhe, ndokuisa zvindori zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.
  2682. Exo 39:17 Vakaisawo maketani maviri egoridhe akamonwa pazvindori zviviri pamicheto yehombodo yechipfuva.
  2683. Exo 39:18 Nemiromo miviri yemaketani akamonwa maviri vakaisa pazvirukwa zviviri ndokuzviisa pamapandi emafudzi eefodhi mberi kwayo.
  2684. Exo 39:19 Vakaitawo zvindori zviviri zvegoridhe, vakaisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kurutivi rweefodhi mukati.
  2685. Exo 39:20 Vakaitawo zvindori zviviri zvegoridhe, vakazviisa pamafudzi maviri eefodhi pazasi nechemberi kwayo, pakatarisana nepakabatanidzwa payo, pamusoro pebhanhire reefodhi.
  2686. Exo 39:21 Zvino vakasunganidza hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi nerwonzi rweruvara rwedenga kuti ive pamusoro pebhanhire reefodhi, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2687. Exo 39:22 Wakaitawo jazi reefodhi, basa rakarukwa, rose reruvara rwedenga.
  2688. Exo 39:23 Neburi rejazi pakati paro, seburi rejazi reutare, mupendero wakapoteredza buri raro, kuti risabvaruka.
  2689. Exo 39:24 Nepamipendero yejazi vakaita mapomegiranati zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute nezvitsvuku, zvakarukwa.
  2690. Exo 39:25 Vakaitawo matare egoridhe rakazara; ndokuisa matare pakati pemapomegiranati pamupendero wejazi, kunhivi dzose, pakati pemapomegiranati;
  2691. Exo 39:26 dare nepomegiranati, dare nepomegiranati, pamipendero yejazi kupoteredza, kushumira, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2692. Exo 39:27 Vakaitirawo Aroni nevanakomana vake nguvo refu nemucheka wakaisvonaka nebasa rakarukwa,
  2693. Exo 39:28 nenguwani yemucheka wakaisvonaka, nenguwani dzakanaka dzemucheka wakaisvonaka, nezvikadubura zvemukati zvemucheka nemucheka wakaisvonaka wakarukwa,
  2694. Exo 39:29 nebhanhire, mucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, basa remusoni, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2695. Exo 39:30 Vakaitawo hwendefa, korona tsvene, negoridhe rakazara, vakanyora pamusoro paro chinyorwa, sepakafomborwa pechidhindo vachiti: UTSVENE KUNA JEHOVHA.
  2696. Exo 39:31 Zvino vakasungira pariri rwonzi rweruvara rwedenga, kuti vasunganidze panguwani kumusoro, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2697. Exo 39:32 Zvino basa rose retabhenakeri yetende rekusangana rakapera; vana vaIsraeri ndokuita zvichienderana nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi; vakaita saizvozvo.
  2698. Exo 39:33 Zvino vakauya netabhenakeri kuna Mozisi, tende, nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvaro, mapuranga aro, mbariro dzaro, nembiru dzaro, nezvigadziko zvaro;
  2699. Exo 39:34 nechifukidzo chematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nechifukidzo chematehwe ezvikumba, nevheiri rechifukidzo;
  2700. Exo 39:35 areka yechipupuriro, nezvibatiso zvayo, nechigaro chengoni;
  2701. Exo 39:36 tafura, nhumbi dzayo dzose, nechingwa chekuratidza;
  2702. Exo 39:37 chigadziko chemwenje chakazara, mwenje yacho, mwenje yekurongedzwa, nemidziyo yacho yose, nemafuta echivhenekeso;
  2703. Exo 39:38 nearitari yegoridhe, nemafuta ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira, nechiremberedzwa chemukova wetende;
  2704. Exo 39:39 aritari yendarira, nesefa yendarira yayaiva nayo, zvibatiso zvayo, nemidziyo yayo yose; dhishi, negumbo raro;
  2705. Exo 39:40 zviremberedzwa zvechivanze, mbiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechiremberedzwa chesuwo rechivanze, rwonzi rwacho, nehoko dzacho, nemidziyo yose yebasa retabhenakeri, retende rekusangana;
  2706. Exo 39:41 nguvo dzebasa dzekushanda panzvimbo tsvene, nguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzevanakomana vake, kuti vashumire paupristi.
  2707. Exo 39:42 Maererano nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi, saizvozvo vana vaIsraeri vakaita basa rose.
  2708. Exo 39:43 Zvino Mozisi wakatarisa basa rose, zvino tarira, vaiva variita Jehovha sezvaaiva avaraira, saizvozvowo vakariita; Mozisi ndokuvaropafadza.
  2709. Exo 40:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2710. Exo 40:2 Nezuva remwedzi wekutanga, nerekutanga remwedzi, uchamisa tabhenakeri, tende rekusangana.
  2711. Exo 40:3 Uchaisamowo areka yechipupuriro, ugofukidza areka nevheiri.
  2712. Exo 40:4 Upinzewo tafura, nekurongedza zvinorongedzwa pamusoro payo; uye uchapinza chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.
  2713. Exo 40:5 Uisewo aritari yegoridhe yezvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chiremberedzwa chemukova wetabhenakeri.
  2714. Exo 40:6 Zvino uise aritari yechipo chinopiswa pamberi pemukova wetabhenakeri yetende rekusangana.
  2715. Exo 40:7 Uisewo dhishi pakati petende rekusangana nearitari, ugoisa mvura imomo.
  2716. Exo 40:8 Zvino uise chivanze chakapoteredza, ugoisa chiremberedzwa pasuwo rechivanze.
  2717. Exo 40:9 Uchatorawo mafuta ekuzodza, ugozodza tabhenakeri nezvose zviri mairi; ugoiita tsvene, nemidziyo yose yayo, uye ichava tsvene.
  2718. Exo 40:10 Uchazodzawo aritari nechipo chinopiswa, nemidziyo yayo yose, ugoita aritari tsvene; zvino aritari ichava chitsvene chezvitsvene.
  2719. Exo 40:11 Uchazodzawo dhishi negumbo raro, uriite dzvene.
  2720. Exo 40:12 Zvino uchaswededza Aroni nevanakomana vake kumukova wetende rekusangana, ugovashambidza nemvura.
  2721. Exo 40:13 Zvino uchapfekedza Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nekumuita mutsvene, kuti andishumire paupristi.
  2722. Exo 40:14 Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo refu.
  2723. Exo 40:15 Uchavazodzawo sezvawakazodza baba vavo, kuti vandishumire paupristi; uye kuzodzwa kwavo kuchava kwavari upristi nekusingaperi kumazera avo.
  2724. Exo 40:16 Mozisi ndokuita zvinoenderana nezvose Jehovha zvaakamuraira, wakazviita saizvozvo.
  2725. Exo 40:17 Zvino zvakaitika mumwedzi wekutanga negore rechipiri nerekutanga remwedzi tabhenakeri yakamiswa.
  2726. Exo 40:18 Mozisi ndokumisa tabhenakeri, ndokuisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, ndokuisa mbariro dzayo, ndokumisa mbiru dzayo.
  2727. Exo 40:19 Zvino wakawarira tende pamusoro petabhenakeri, ndokuisa chifukidzo chetende pairi pamusoro, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2728. Exo 40:20 Zvino wakatora akaisa uchapupu muareka, ndokuisa zvibatiso paareka, ndokuisa chigaro chengoni pamusoro paareka.
  2729. Exo 40:21 Zvino wakapinza areka mutabhenakeri, ndokumisa vheiri rechidzitiro akadzitira areka yechipupuriro, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2730. Exo 40:22 Zvino wakaisa tafura mutende rekusangana, parutivi rwetabhenakeri kumaodzanyemba, kunze kwevheiri.
  2731. Exo 40:23 Wakarongererawo pamusoro musara wechingwa pamberi paJehovha, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2732. Exo 40:24 Zvino wakaisa chigadziko chemwenje mutende rekusangana, pakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri kuchamhembe.
  2733. Exo 40:25 Zvino wakatungidza mwenje pamberi paJehovha, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  2734. Exo 40:26 Zvino wakaisa aritari yegoridhe mutende rekusangana pamberi pevheiri;
  2735. Exo 40:27 ndokupisirapo zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  2736. Exo 40:28 Wakaisawo chiremberedzwa chemukova wetabhenakeri.
  2737. Exo 40:29 Zvino wakaisa aritari yechipo chinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rekusangana, akapira pairi chipo chinopiswa, nechipo chechidyiwa, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2738. Exo 40:30 Zvino wakaisa dhishi pakati petende rekusangana nearitari, ndokuisa mvuramo yekushamba.
  2739. Exo 40:31 Zvino Mozisi naAroni nevanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavomo.
  2740. Exo 40:32 Pakupinda kwavo mutende rekusangana nepakuswedera kwavo pedo kuaritari vakashamba, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  2741. Exo 40:33 Zvino wakamisa chivanze chaipoteredza tabhenakeri nearitari, ndokuisa chiremberedzwa chesuwo rechivanze. Naizvozvo Mozisi wakapedza basa.
  2742. Exo 40:34 Zvino gore rakafukidza tende rekusangana, kubwinya kwaJehovha ndokuzadza tabhenakeri.
  2743. Exo 40:35 Zvino Mozisi wakakonewa kupinda mutende rekusangana, nokuti gore rakagara pamusoro paro, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
  2744. Exo 40:36 Zvino gore paraikwidzwa kubva patabhenakeri, vana vaIsraeri vakapfuurira panzendo dzavo dzose.
  2745. Exo 40:37 Asi gore parainge risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvika musi wekukwidzwa kwaro.
  2746. Exo 40:38 Nokuti gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati, nemoto waiva pariri pausiku, pamberi pemeso eimba yaIsraeri yose, panzendo dzavo dzose
  2747. Lev 1:1 Zvino Jehovha wakadana Mozisi, ndokutaura kwaari ari mutende rekusangana, achiti:
  2748. Lev 1:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana munhu wekwenyu achipa chipo kuna Jehovha, muchapa chipo chenyu kubva pazvipfuwo, kubva pamombe, kana kubva pamakwai.
  2749. Lev 1:3 Kana chipo chake chiri chipo chinopiswa kubva pamombe, achapa mukono usina chaungapomerwa, achaupa pamukova wetende rekusangana, nechido chake, pamberi paJehovha.
  2750. Lev 1:4 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chinopiswa, uye chigamuchirirwe iye kumuitira chiyananiso.
  2751. Lev 1:5 Zvino achauraya nzombe diki pamberi paJehovha; uye vapristi vanakomana vaAroni vachapa ropa vagosasa ropa kupoteredza paaritari iri pamukova wetende rekusangana.
  2752. Lev 1:6 Zvino achavhiya chipo chinopiswa, nekuchigura-gura nhindi dzacho.
  2753. Lev 1:7 Zvino vanakomana vaAroni mupristi vachaisa moto paaritari, nekugadzira huni pamusoro pemoto.
  2754. Lev 1:8 Zvino vapristi vanakomana vaAroni vacharonga nhindi, musoro, nemafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.
  2755. Lev 1:9 Asi achasuka zvemukati zvacho nemakumbo acho mumvura, uye mupristi achapisa zvose paaritari, chive chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  2756. Lev 1:10 Zvino kana chipo chake chichibva paboka, remakwai, kana rembudzi, kuva chipo chinopiswa, achapa mukono usina chaungapomerwa.
  2757. Lev 1:11 Zvino achachiuraira parutivi rwearitari nechekumaodzanyemba pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vachasasa ropa racho kupoteredza paaritari.
  2758. Lev 1:12 Zvino uchachigura-gura kuita nhindi dzacho, nemusoro wacho nemafuta acho; zvino mupristi achazvironga pahuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.
  2759. Lev 1:13 Asi achasuka zvemukati nemakumbo nemvura; mupristi agobaira zvose, ndokupisa paaritari, chive chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  2760. Lev 1:14 Zvino kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipo chinopiswa cheshiri, zvino achapa chipo chake panjiva, kana pavana vehangaiwa.
  2761. Lev 1:15 Zvino mupristi achachipa kuaritari, agomonyorora musoro wacho agopisa paaritari; neropa racho acharisvinira parutivi rwearitari.
  2762. Lev 1:16 Zvino achabvisa chihururu chayo neminhenga yacho, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunzvimbo yemadota.
  2763. Lev 1:17 Zvino achaibvambura nemapapiro ayo asingaiparadzanisi; mupristi agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  2764. Lev 2:1 Zvino kana munhu achipa chipo chechidyiwa kuna Jehovha, chipo chake chichava upfu hwakatsetseka; uye achadira mafuta pamusoro pacho, agoisa miti inonhuhwira inotapira pamusoro pacho,
  2765. Lev 2:2 agochiuisa kuvanakomana vaAroni, vapristi; agotora pachiri ruoko rwake rwuzere rweupfu hwacho hwakatsetseka nemafuta acho nezvinonhuhwira zvacho, mupristi agopisa chirangaridzo chacho paaritari; chipo chemoto, chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  2766. Lev 2:3 Chakasara pachipo chechidyiwa chichava chaAroni nevanakomana vake; chitsvene chezvitsvene pazvipo zvemoto zvaJehovha.
  2767. Lev 2:4 Uye kana achipa chipo chechipo chechidyiwa chakabikwa muchoto, ngachive chemakeke asina kuviriswa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, kana zvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta.
  2768. Lev 2:5 Uye kana chipo chako chiri chipo chechidyiwa chakabikwa mugango, chichava cheupfu hwakatsetseka husina kuviriswa hwakakanyiwa nemafuta.
  2769. Lev 2:6 Uchachimedura kuita zvimedu, nekudira mafuta pazviri; chipo chechidyiwa.
  2770. Lev 2:7 Zvino kana chipo chako chiri chipo chechidyiwa chehari, chichaitwa neupfu hwakatsetseka pamwe nemafuta.
  2771. Lev 2:8 Uye uchauya nechipo chechidyiwa kuna Jehovha chakaitwa nezvinhu izvi; kana munhu achichiswededza kumupristi, achachipa kuaritari.
  2772. Lev 2:9 Zvino mupristi achatora kubva pachipo chechidyiwa chirangaridzo chacho, agopisa paaritari; chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  2773. Lev 2:10 Nezvinosara pachipo chechidyiwa ngazvive zvaAroni nezvevanakomana vake; chitsvene chezvitsvene pazvipo zvemoto zvaJehovha.
  2774. Lev 2:11 Hakuna chipo chechidyiwa chamuchapa kuna Jehovha chichaitwa nembiriso, nokuti mbiriso ipi neipi kana uchi hupi nehupi hamuchabairi kubva pazviri chipo chemoto kuna Jehovha.
  2775. Lev 2:12 Chipo chezvibereko zvekutanga, muchazvipa kuna Jehovha; asi hazvichapiswi paaritari zvive hwema hunonhuhwira.
  2776. Lev 2:13 Nechipo chose chechipo chako chechidyiwa uchachirunga nemunyu; uye usatendera kuti munyu wesungano yaMwari wako ushaikwe pachipo chako chechidyiwa; uchapa munyu pamwe nechipo chako chose.
  2777. Lev 2:14 Zvino kana uchipa chipo chechidyiwa chezvibereko zvekutanga kuna Jehovha, uchapa hura nyoro dzakakangwa nemoto chive chipo chechidyiwa pazvibereko zvako zvekutanga, zviyo zvakatswiwa zvehura zvitsva.
  2778. Lev 2:15 Zvino uchaisa mafuta pamusoro pacho, nekuronga zvinonhuhwira pachiri; chipo chechidyiwa.
  2779. Lev 2:16 Zvino mupristi achapisa chirangaridzo chacho chezviyo zvacho zvakatswiwa nechemafuta acho, nezvinonhuhwira zvacho zvose; chipo chemoto kuna Jehovha.
  2780. Lev 3:1 Zvino kana chipo chake chiri chibairo chekuyananisa, kana achipa chemombe, ingava hono kana hadzi, achaipa isina chaingapomerwa pamberi paJehovha.
  2781. Lev 3:2 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chake, agochiuraya pamukova wetende rekusangana; uye vanakomana vaAroni vapristi vachasasa ropa pamusoro pearitari pakapoteredza.
  2782. Lev 3:3 Zvino zvinobva pachibairo chekuyananisa achapa chipo chemoto kuna Jehovha. Mafuta anofukidza zvemukati, nemafuta ose ari pane zvemukati,
  2783. Lev 3:4 neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, ari pachiuno, nemafuta ari pamusoro pechiropa, neitsvo, achazvibvisa.
  2784. Lev 3:5 Zvino vanakomana vaAroni vachazvipisa paaritari pamusoro pechipo chinopiswa, chiri pamusoro pehuni dziri pamoto; chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  2785. Lev 3:6 Zvino kana chipo chake chiri chibairo chekuyananisa kuna Jehovha chezvipfuwo, mukono kana hadzi, achachipa chisina chachingapomerwa.
  2786. Lev 3:7 Kana achipa gwayana kuva chipo chake, zvino acharipa pamberi paJehovha.
  2787. Lev 3:8 Agoisa ruoko rwake pamusoro wechipo chake, ndokuchiuraya pamberi petende rekusangana; vanakomana vaAroni vagosasa ropa racho pamusoro pearitari kupoteredza.
  2788. Lev 3:9 Zvino zvinobva pachibairo chekuyananisa achapa chipo chemoto kuna Jehovha. Mafuta aro nebemhe rose, achazvibvisa pedo nemusana. Uye mafuta anofukidza zvemukati, nemafuta ose ari pamusoro pezvemukati,
  2789. Lev 3:10 neitsvo mbiri, nemafuta ari pamusoro padzo, ari pane chiuno, nemafuta ari pamusoro pechiropa, neitsvo, achazvibvisa.
  2790. Lev 3:11 Zvino mupristi achazvipisa paaritari; ndezvekudya zvechipo chemoto kuna Jehovha.
  2791. Lev 3:12 Uye kana chipo chake chiri mbudzi, achaipa pamberi paJehovha.
  2792. Lev 3:13 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro pemusoro wayo, agoiuraya pamberi petende rekusangana. Vanakomana vaAroni vagosasa ropa rayo pamusoro pearitari kupoteredza.
  2793. Lev 3:14 Zvino zvinobva pachiri achapa chipo chake, chipo chemoto kuna Jehovha. Mafuta anofukidza zvemukati, nemafuta ose ari pane zvemukati,
  2794. Lev 3:15 neitsvo mbiri, nemafuta ari pamusoro padzo, ari pane chiuno, nemafuta ari pamusoro pechiropa, neitsvo, achazvibvisa.
  2795. Lev 3:16 Zvino mupristi achazvipisa paaritari; izvekudya zvechipo chemoto chehwema hunonhuhwira; mafuta ose ndeaJehovha.
  2796. Lev 3:17 Chimiso chekusingaperi pamazera enyu paugaro hwenyu hwose: Murege kudya mafuta api uye ropa ripi.
  2797. Lev 4:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2798. Lev 4:2 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana mweya weupenyu ukatadza nekusaziva uchipesana nemirairo ipi yaJehovha, zvisingafaniri kuitwa, ukaita zvinopesana neumwe wayo;
  2799. Lev 4:3 kana mupristi wakazodzwa akatadza, ikava mhosva kuvanhu, zvino nekuda kwechivi chake chaakatadza ngaape nzombe diki, mhuru yemombe isina chaingapomerwa kuna Jehovha, ive chipo chezvivi.
  2800. Lev 4:4 Zvino achauya nenzombe diki kumukova wetende rekusangana pamberi paJehovha, agoisa ruoko rwake pamusoro wenzombe diki, ndokuuraya nzombe diki pamberi paJehovha.
  2801. Lev 4:5 Zvino mupristi wakazodzwa achatora rimwe reropa renzombe diki, ndokuuya naro kutende rekusangana.
  2802. Lev 4:6 Zvino mupristi achanyika munwe wake muropa, ndokusasa rimwe reropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pevheiri renzvimbo tsvene.
  2803. Lev 4:7 Zvino mupristi achaisa rimwe reropa panyanga dzearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira pamberi paJehovha, zviri mutende rekusangana, agodurura ropa rose renzombe diki pazasi pearitari yechipiriso chinopiswa iri pamukova wetende rekusangana.
  2804. Lev 4:8 Zvino achakwatura kubva pariri mafuta ose enzombe diki yechipo chezvivi, mafuta anofukidza zvemukati, nemafuta ose ari pamusoro pezvemukati,
  2805. Lev 4:9 neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, ari pachiuno, nemafuta ari pamusoro pechiropa, pamwe neitsvo, ngaazvibvise,
  2806. Lev 4:10 sezvaakwaturwa panzombe diki yechibairo chezvipo zvekuyananisa; zvino mupristi achazvipisa paaritari yechipo chinopiswa.
  2807. Lev 4:11 Zvino dehwe renzombe diki, nenyama yayo yose, pamwe nemusoro wayo, uye pamwe nemakumbo ayo, nezvemukati zvayo, nechizvizvi chayo,
  2808. Lev 4:12 hongu nzombe diki yose achaibudisira kunze kwemisasa, aiise panzvimbo yakachena, panorasirwa madota akanuna, ndokuipisira pahuni nemoto; ichapisirwa panorasirwa madota akanuna.
  2809. Lev 4:13 Zvino kana ungano yose yaIsraeri ikatadza nekusaziva, uye chinhu chikavanzika pameso eungano, vakadarika upi neupi wemirairo yaJehovha, zvisingafaniri kuitwa, vakava nemhosva;
  2810. Lev 4:14 apo chivi chavakatadza vachipesana nayo chikazikanwa, ungano ichapa nzombe diki, mhuru yemombe, chive chipo chezvivi, agouya nayo pamberi petende rekusangana.
  2811. Lev 4:15 Zvino vakuru veungano vachaisa maoko avo pamusoro wenzombe diki pamberi paJehovha; nzombe igourawa pamberi paJehovha.
  2812. Lev 4:16 Zvino mupristi wakazodzwa achauya nerimwe reropa renzombe diki patende rekusangana.
  2813. Lev 4:17 Mupristi achanyikawo munwe wake muropa, agorisasa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pevheiri.
  2814. Lev 4:18 Zvino achaisa rimwe reropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rekusangana. Ropa rose agoridururira pazasi pearitari yechipo chinopiswa, iri pamukova wetende rekusangana.
  2815. Lev 4:19 Zvino achatora kubva pairi mafuta ayo ose, agopisa paaritari.
  2816. Lev 4:20 Zvino achaita panzombe diki sezvaakaita panzombe diki yechipo chezvivi, achaiita saizvozvo; mupristi agovaitira chiyananiso, zvino vachakanganwirwa.
  2817. Lev 4:21 Zvino achabudisira nzombe diki kunze kwemusasa, ndokuipisa, sezvaakapisa nzombe diki yekutanga; chipo chezvivi cheungano.
  2818. Lev 4:22 Kana mutungamiriri akatadza, akaita nekusaziva akadarika upi neupi wemirairo yaJehovha Mwari wake, zvisingaitwi, ikava mhosva;
  2819. Lev 4:23 kana chivi chake chaakatadza pachiri chikazikanwa kwaari, achauya nechipo chake, mbudzana yembudzi, hono isina chaingapomerwa.
  2820. Lev 4:24 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wembudzi, agoiuraira panzvimbo panourairwa chipo chinopiswa pamberi paJehovha; chipo chezvivi.
  2821. Lev 4:25 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rechipo chezvivi nemunwe wake, agoisa panyanga dzearitari yechipo chinopiswa, agodira ropa rayo muzasi mearitari yechipo chinopiswa.
  2822. Lev 4:26 Zvino achapisa mafuta ayo ose paaritari, semafuta echibairo ezvipo zvekuyananisa; mupristi agomuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake, zvino achakanganwirwa.
  2823. Lev 4:27 Zvino kana mweya weupenyu upi wevanhu venyika ukatadza nekusaziva, nokuti wakaita zvinopesana neupi wemirairo yaJehovha, zvisina kufanira kuitwa, akava nemhosva;
  2824. Lev 4:28 kana chivi chake chaakatadza chikazikanwa kwaari, zvino achauya nechipo chake, mbudzana yembudzi, sheche isina chaingapomerwa, pamusoro pechivi chake chaakatadza.
  2825. Lev 4:29 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chezvivi, agouraya chipo chezvivi panzvimbo yechipo chinopiswa.
  2826. Lev 4:30 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rayo nemunwe wake ndokuriisa panyanga dzearitari yechipo chinopiswa, agodururura ropa rose rayo pazasi pearitari.
  2827. Lev 4:31 Zvino achabvisa mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta kubva pachibairo chezvipo zvekuyananisa; mupristi agopisa paaritari, ave hwema hunonhuhwira kuna Jehovha; mupristi agomuitira chiyananiso, zvino achakanganwirwa.
  2828. Lev 4:32 Zvino kana akauya negwayana rive chipo chezvivi, achauya naro riri gadzi risina charingapomerwa.
  2829. Lev 4:33 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chezvivi, agoriuraya rive chipo chezvivi panzvimbo pavanouraira chipo chinopiswa.
  2830. Lev 4:34 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rechipo chezvivi nemunwe wake, agoisa panyanga dzearitari yechipo chinopiswa; agodurura ropa raro rose pazasi pearitari.
  2831. Lev 4:35 Zvino achabvisa mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana kubva pachibairo chezvipo zvekuyananisa; mupristi agoapisa paaritari pamusoro pezvipo zvemoto zvaJehovha; zvino mupristi achamuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake chaakatadza, agokanganwirwa.
  2832. Lev 5:1 Zvino kana mweya weupenyu ukatadza, ndokunzwa inzwi remhiko, uye uve chapupu, kana wakazviona kana kuziva, kana asingatauri, zvino achatakura kuipa kwake.
  2833. Lev 5:2 Uye kana mweya weupenyu ukabata chero chinhu chisina kuchena, kana chitunha chemhuka isina kuchena, kana chitunha chechipfuwo chisina kuchena, kana chitunha chezvinokambaira zvisina kuchena, kunyange zvikava zvakavanzika kwaari, achava asina kuchena, agova nemhosva.
  2834. Lev 5:3 Zvino kana akabata kusachena kwemunhu, kungava kusachena kwake kupi kwaasina kuchena nako, uye kukavanzika kwaari, iye paachaziva achava nemhosva.
  2835. Lev 5:4 Zvino kana mweya weupenyu uchipika, uchitaura usingafungisisi nemiromo yawo kuita chakaipa kana kuita chakanaka, kana chii munhu chaangataura asingafungisisi nemhiko, uye chikavanzika kwaari, iye paachaziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo.
  2836. Lev 5:5 Zvino kuchati kana akava nemhosva pane chimwe chaizvozvo, achabvuma kuti wakatadza pane izvozvo.
  2837. Lev 5:6 Zvino achauya nechipo chake chekudarika kuna Jehovha pamusoro pechivi chake chaakatadza, hadzi kubva pazvipfuwo, gwayana kana mbudzana yembudzi, chive chipo chezvivi; mupristi agomuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake.
  2838. Lev 5:7 Zvino kana ruoko rwake rusingananaviri kune zvinodiwa pagwayana, ipapo achavigira Jehovha njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa pakudarika kwake kwaakatadza; imwe yechipo chezvivi, uye imwe yechipo chinopiswa.
  2839. Lev 5:8 Zvino achauya nazvo kumupristi, iye achapa iri yechipo chezvivi kutanga, ndokumonyorora musoro wayo pamutsipa wayo, asi arege kuiparadzanisa.
  2840. Lev 5:9 Zvino achasasa rimwe reropa rechipo chezvivi parutivi rwearitari, uye rinosara paropa richasvinirwa pazasi pearitari; chipo chezvivi.
  2841. Lev 5:10 Yechipiri ngaaite chipo chinopiswa, zvichienderana nechimiso; uye mupristi achamuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake chaakatadza, zvino achachikanganwirwa.
  2842. Lev 5:11 Asi kana ruoko rwake rwusingananaviri kunjiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, zvino uyo anotadza achauya nechipo chake chegumi cheefa cheupfu hwakatsetseka, chive chipo chezvivi; asaisa mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pahwo, nokuti chipo chezvivi.
  2843. Lev 5:12 Zvino achauya nacho kumupristi, mupristi agotora ruoko rwake ruzere rwahwo, chive chirangaridzo chahwo, ndokupisa paaritari, zvichienderana nezvipo zvemoto zvaJehovha; chipo chezvivi.
  2844. Lev 5:13 Zvino mupristi achamuitira chiyananiso maererano nechivi chaakatadza pachipi chezvinhu izvi, zvino achachikanganwirwa. Zvino zvichava zvemupristi, sechipo chechidyiwa.
  2845. Lev 5:14 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2846. Lev 5:15 Kana mweya weupenyu ukadarika nekudarika, ukatadza usingazivi pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, uchauya nechipo chawo chemhosva kuna Jehovha, gondohwe risina charingapomerwa paboka, nemaonero ako pamashekeri esirivha maererano neshekeri repanzvimbo tsvene, chive chipo chemhosva.
  2847. Lev 5:16 Zvino achatsiva zvaakatadza pachinhu chitsvene, agowedzera cheshanu chacho pachiri, ndokuchipa kumupristi; mupristi agomuitira chiyananiso negondohwe rechipo chemhosva, zvino achachikanganwirwa.
  2848. Lev 5:17 Zvino kana mweya weupenyu ukatadza, nekudarika umwe wemirairo yose yaJehovha zvisingafaniri kuitwa, kunyange asingazivi, zvakadaro une mhosva, uye uchatakura kuipa kwawo.
  2849. Lev 5:18 Zvino uchauya kumupristi negondohwe risina charingapomerwa kubva kuboka, nemaonero ako, chive chipo chemhosva; mupristi agomuitira chiyananiso pamusoro pekusaziva kwaakatadza nako asingazivi, zvino achakukanganwirwa.
  2850. Lev 5:19 Chipo chemhosva; zvirokwazvo une mhosva kuna Jehovha.
  2851. Lev 6:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2852. Lev 6:2 Kana mweya weupenyu ukatadza, ndokudarika chitadzo kuna Jehovha, ndokunyengera wekwawo pachinhu chawakapiwa kuchengeta, kana maererano nechibatiso cheruoko, kana chakapambiwa, kana kumanikidza wekwawo;
  2853. Lev 6:3 kana ukawana chaiva charasika, ndokureva nhema pamusoro pacho, ndokupika nhema; pachinhu chipi chezvose munhu chaanoita, achitadza pachiri;
  2854. Lev 6:4 zvino zvichati, nokuti watadza, ndokuva nemhosva, kuti achadzosera chakapambiwa chaaiva apamba, kana chakatorwa nechisimba chaaiva atora nechisimba, kana chakaiswa chaiva chaiswa naye, kana chakarasika akachiwana;
  2855. Lev 6:5 kana pane chipi nechipi chaaiva apika nhema nezvacho; achachidzosera pakuzara kwacho, agowedzera cheshanu kwachiri, achipe kune ari wacho nezuva rechipo chake chemhosva.
  2856. Lev 6:6 Zvino achauya nechipo chake chemhosva kuna Jehovha, gondohwe risina charingapomerwa paboka, nemaonero ako, chive chipo chemhosva, kumupristi.
  2857. Lev 6:7 Zvino mupristi achamuitira chiyananiso pamberi paJehovha, agokanganwirwa pane chipi chezvose zvaakaita kudarika pachiri.
  2858. Lev 6:8 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2859. Lev 6:9 Raira Aroni nevanakomana vake uchiti: Uyu murairo wechipo chinopiswa: Chipo chinopiswa pachoto paaritari usiku hwose kusvika mangwanani, uye moto wearitari uchapfuta pachiri.
  2860. Lev 6:10 Zvino mupristi achapfeka nguvo yake yemucheka, nechikadubura chemukati chemucheka achapfeka pamuviri wake, agotora madota kana moto wapedza chipo chinopiswa paaritari, agoaise parutivi rwearitari.
  2861. Lev 6:11 Zvino achabvisa nguvo dzake, ndokupfeka dzimwe nguvo, agotakurira madota kunze kwemusasa kunzvimbo yakachena.
  2862. Lev 6:12 Zvino moto paaritari uchava uchipfuta pamusoro payo, haudzimwi; uye mupristi achavesa huni pamusoro payo mangwanani oga-oga, ndokurongedza chipo chinopiswa pamusoro payo, agopisa mafuta ezvipo zvekuyananisa pamusoro payo.
  2863. Lev 6:13 Moto ucharamba uchipfuta pamusoro pearitari, usadzima.
  2864. Lev 6:14 Uye uyu murairo wechipo chechidyiwa: Vanakomana vaAroni vachachipa pamberi paJehovha pamberi pearitari.
  2865. Lev 6:15 Zvino achatora pachiri ruoko rwake rwuzere rweupfu hwechipo chechidyiwa, nepamafuta acho, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvose zviri pamusoro pechipo chechidyiwa, agopisa paaritari, chive hwema hunonhuhwira, chirangaridzo chacho kuna Jehovha.
  2866. Lev 6:16 Nezvakasara zvacho Aroni nevanakomana vake vachadya; zvichadyiwa zvisina kuviriswa panzvimbo tsvene; vachazvidya pachivanze chetende rekusangana.
  2867. Lev 6:17 Ngazvirege kubhekewa nembiriso; ndazvipa uve mugove wavo wezvipo zvangu zvemoto; chitsvene chezvitsvene, sechipo chezvivi, uye sechipo chemhosva.
  2868. Lev 6:18 Munhurume wose pavana vaAroni achazvidya, chive chimiso rinhi narinhi pamazera enyu kubva pazvipo zvaJehovha zvemoto; wose anozvibata uchava mutsvene.
  2869. Lev 6:19 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2870. Lev 6:20 Ichi chipo chaAroni nechevanakomana vake chavachapa kupa Jehovha nemusi waanozodzwa: Chegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, chive chipo chechidyiwa rinhi narinhi; hafu yacho pamangwanani, nehafu yacho pamadekwani.
  2871. Lev 6:21 Chichaitirwa mugango nemafuta; uchauya nacho chakavhenganiswa; uchazvipa zvimedu zvakabhekewa zvechipo chechidyiwa zvive hwema hwechinonhuhwira kuna Jehovha.
  2872. Lev 6:22 Zvino mupristi wevanakomana vake wakazodzwa pachinzvimbo chake achachiita; chimiso nekusingaperi; chichapiswa chose kuna Jehovha.
  2873. Lev 6:23 Zvino chipo chimwe nechimwe chechidyiwa chemupristi chichapiswa chose; chisadyiwa.
  2874. Lev 6:24 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi akati:
  2875. Lev 6:25 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake uchiti: Uyu murairo wechipo chezvivi: Panzvimbo panourayirwa chipo chinopiswa ndipo pachaurairwa chipo chezvivi pamberi paJehovha; chitsvene chechitsvene.
  2876. Lev 6:26 Mupristi anochipa pamusoro pechivi achachidya; chichadyirwa panzvimbo tsvene, pachivanze chetende rekusangana.
  2877. Lev 6:27 Chipi nechipi chinobata nyama yacho chichava chitsvene; kana pakadonera rimwe reropa racho panguvo, uchasuka icho parakadonera panzvimbo tsvene.
  2878. Lev 6:28 Asi mudziyo wevhu mayakabikirwa uchaputswa; uye kana yakabikwa mumudziyo wendarira unofanira kukwizwa nekusukurudzwa nemvura.
  2879. Lev 6:29 Munhurume wose pavapristi achachidya, chitsvene chezvitsvene.
  2880. Lev 6:30 Asi chipo chose chezvivi, rimwe reropa racho rakaiswa mutende rekusangana kuyananisira panzvimbo tsvene, hachingadyiwi; chichapiswa mumoto.
  2881. Lev 7:1 Zvino uyu murairo wechipo chemhosva: Chitsvene chezvitsvene.
  2882. Lev 7:2 Vachauraira chipo chemhosva panzvimbo pavanouraira chipo chinopiswa; zvino ropa racho acharisasa paaritari kupoteredza.
  2883. Lev 7:3 Zvino achapa machiri mafuta ose, bemhe, nemafuta anofukidza zvemukati,
  2884. Lev 7:4 neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, ari pachiuno; nemafuta ari pamusoro pechiropa, achabvisa pamwe neitsvo.
  2885. Lev 7:5 Zvino mupristi achazvipisa paaritari, chipo chemoto kuna Jehovha; chipo chemhosva.
  2886. Lev 7:6 Munhurume umwe neumwe pavapristi achachidya; chichadyiwa panzvimbo tsvene; chitsvene chezvitsvene.
  2887. Lev 7:7 Sechipo chezvivi ndizvo zvinoitwa chipo chemhosva; murairo ndeumwe wazvo. Mupristi anoita chiyananiso nacho, chichava chake.
  2888. Lev 7:8 Uye mupristi anopa chipo chinopiswa chemunhu, dehwe rechipo chinopiswa chaapa nderemupristi, achava naro.
  2889. Lev 7:9 Uye chipo chimwe nechimwe chechidyiwa, chakabhekewa muhovhoni, nechose chakagadzirwa mugango kana muhari, zvichava zvemupristi anozvipa, zvichava zvake.
  2890. Lev 7:10 Uye chipo chimwe nechimwe chechidyiwa, chinokanyiwa nemafuta kana chakaoma, chichava chevanakomana vose vaAroni, umwe seumwe.
  2891. Lev 7:11 Zvino uyu murairo wechibairo chezvipo zvekuyananisa, zvaachapa kuna Jehovha:
  2892. Lev 7:12 Kana akachipa kuva chipo chekuvonga, ipapo achapa pamwe nechibairo chekuvonga makeke asina kuviriswa akakanyiwa nemafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta, nemakeke akakanyiwa nemafuta zveupfu hwakatsetseka, zvakakangwa.
  2893. Lev 7:13 Kunze kwemakeke achapa chingwa chakaviriswa chive chipo chake, nechibairo chechipo chekuvonga chezvipo zvake zvekuyananisa.
  2894. Lev 7:14 Zvino achapa kubva pachiri chimwe pachipo chose chive chipo chekusimudzwa kuna Jehovha; chichava chemupristi, chichava chaiye anosasa ropa rezvipo zvekuyananisa.
  2895. Lev 7:15 Zvino nyama yechibairo chechipo chake chekuyananisa chekuvonga ichadyiwa musi wekupa kwake; haangasii chimwe chacho kusvika mangwanani.
  2896. Lev 7:16 Asi kana chibairo chechipo chake chiri chivimbiso kana chipo chekuzvidira, chichadyiwa musi iwoyo waanopa chibairo chake; zvino chifumewo zvakasara zvacho zvichadyiwa;
  2897. Lev 7:17 asi zvakasara zvenyama yechibairo nezuva retatu zvichapiswa nemoto.
  2898. Lev 7:18 Zvino kana imwe yenyama yechibairo chezvipo zvake zvekuyananisa ikadyiwa zvirokwazvo nezuva retatu, hazvingagamuchirwi kana kuverengerwa kune wakazvipa, zvichava chinyangadzo; nemweya weupenyu uchadya pazviri uchatakura kuipa kwawo.
  2899. Lev 7:19 Nenyama yakagunzva chipi chisina kuchena haingadyiwi, ichapiswa nemoto. Asi maererano nenyama, umwe neumwe wakachena angadya nyama.
  2900. Lev 7:20 Asi mweya weupenyu unodya nyama yechibairo chezvipo zvekuyananisa, iri yaJehovha, netsvina yawo pamusoro pawo, mweya uyu uchagurwa kubva pavanhu vawo.
  2901. Lev 7:21 Zvino kana mweya weupenyu ukagunzva chipi chisina kuchena, kusachena kwemunhu, kana mhuka isina kuchena, kana chipi chinonyangadza chisina kuchena, ndokudya panyama yechibairo chezvipo zvekuyananisa zviri zvaJehovha, mweya uyu uchagurwa kubva pavanhu vawo.
  2902. Lev 7:22 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2903. Lev 7:23 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Musadya chero mafuta emombe kana egwai kana embudzi.
  2904. Lev 7:24 Asi mafuta echitunha chemhuka nemafuta emhuka yakabvamburwa nezvikara angabatiswa basa ripi neripi, asi hamungatongoidyi.
  2905. Lev 7:25 Nokuti ani nani anodya mafuta emhuka yavapira Jehovha chipo chemoto, mweya weupenyu uyu unodya uchagurwa kubva pavanhu vawo.
  2906. Lev 7:26 Uye musadya ropa ripi neripi, reshiri kana remhuka, padzimba dzenyu dzose.
  2907. Lev 7:27 Mweya weupenyu upi neupi unodya ropa ripi neripi, mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pavanhu vawo.
  2908. Lev 7:28 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2909. Lev 7:29 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Anopa chibairo chake chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha achauya nechipo chake kuna Jehovha kubva pachibairo chezvipo zvake zvekuyananisa.
  2910. Lev 7:30 Maoko ake achauya nezvipo zvaJehovha zvemoto, mafuta pamwe nechityu, achauya nazvo pamwe nechityu, kuchizunguzira chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
  2911. Lev 7:31 Zvino mupristi achapisa mafuta paaritari; asi chityu chichava chaAroni nechevanakomana vake.
  2912. Lev 7:32 Nebandauko rerudyi muchapa mupristi, chive chipo chinosimudzwa chezvibairo chezvipo zvenyu zvekuyananisa.
  2913. Lev 7:33 Uyo pakati pevanakomana vaAroni anopa ropa rezvipo zvekuyananisa nemafuta achawana bandauko rerudyi uve mugove wake.
  2914. Lev 7:34 Nokuti chityu chinosimudzwa nebandauko rinosimudzwa ndakatora kuvana vaIsraeri pazvibairo zvezvipo zvavo zvekuyananisa, ndokuzvipa Aroni mupristi nekuvanakomana vake, chive chimiso nekusingaperi, kubva kuvana vaIsraeri.
  2915. Lev 7:35 Ndiwo mugove waAroni nemugove wevanakomana vake kubva pazvipo zvemoto zvaJehovha, pamusi waakavaswededza kubatira Jehovha paupristi,
  2916. Lev 7:36 uyo Jehovha waakaraira kuvapa kubva kuvana vaIsraeri nemusi wekuvazodza. Chimiso nekusingaperi kusvika kumazera avo.
  2917. Lev 7:37 Uyu murairo wechipo chinopiswa, wechipo chechidyiwa, newechipo chezvivi, newechipo chemhosva, newekugadza, newechibairo chezvipo zvekuyananisa;
  2918. Lev 7:38 Jehovha waakaraira Mozisi pagomo reSinai nemusi waakaraira vana vaIsraeri kupa Jehovha zvipo zvavo murenje reSinai.
  2919. Lev 8:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  2920. Lev 8:2 Tora Aroni nevanakomana vake pamwe naye, nenguvo zhinji, nemafuta ekuzodza, nenzombe diki yechipo chezvivi, nemakondohwe maviri, nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa;
  2921. Lev 8:3 ugounganidza ungano yose kumukova wetende rekusangana.
  2922. Lev 8:4 Mozisi akaita Jehovha sezvaaiva amuraira; ungano ndokuunganidzwa kumukova wetende rekusangana.
  2923. Lev 8:5 Zvino Mozisi wakati kuungano: Ndicho chinhu Jehovha chaakaraira kuita.
  2924. Lev 8:6 Mozisi wakaswededza Aroni nevanakomana vake, ndokuvashambidza nemvura.
  2925. Lev 8:7 Zvino wakaisa nguvo refu paari, ndokumusunga chiuno nebhanhire, ndokumupfekedza nguvo, ndokuisa efodhi paari, nekumusunga chiuno nebhanhire reefodhi, ndokumusunga naro.
  2926. Lev 8:8 Zvino wakaisa hombodo yechipfuva paari, ndokuisa Urimi neTumimi pahombodo yechipfuva.
  2927. Lev 8:9 Wakaisawo ngundu mumusoro wake; ndokuisa pamusoro pengundu nechemberi kwechiso chake hwendefa regoridhe, korona tsvene, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2928. Lev 8:10 Zvino Mozisi wakatora mafuta ekuzodza, ndokuzodza tabhenakeri nezvose zvaivamo, ndokuzviita zvitsvene.
  2929. Lev 8:11 Zvino wakasasa nawo kanomwe paaritari, ndokuzodza aritari nemidziyo yayo yose, nedhishi, nechigadziko charo, kuzviita zvitsvene.
  2930. Lev 8:12 Wakadirawo amwe emafuta ekuzodza pamusoro waAroni, ndokumuzodza kumuita mutsvene.
  2931. Lev 8:13 Zvino Mozisi wakaswededza vanakomana vaAroni ndokuvapfekedza nguvo zhinji refu, ndokuvasunga zviuno nebhanhire, ndokuvasungira ngundu, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2932. Lev 8:14 Zvino wakauya nenzombe diki yechipo chezvivi; Aroni nevanakomana vake ndokuisa maoko avo pamusoro wenzombe diki yechipo chezvivi.
  2933. Lev 8:15 Zvino wakaibaya; Mozisi ndokutora ropa, ndokuisa panyanga dzearitari kupoteredza nemunwe wake, ndokunatsa aritari, ndokudururira ropa pazasi pearitari, ndokuiita tsvene kuiyananisira.
  2934. Lev 8:16 Zvino wakatora mafuta ose ari pamusoro pezvemukati, nemafuta epachiropa, neitsvo mbiri, nemafuta adzo; Mozisi ndokupisa paaritari.
  2935. Lev 8:17 Asi nzombe diki nedehwe rayo nenyama yayo nechizvizvi chayo wakapisa nemoto kunze kwemusasa, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2936. Lev 8:18 Zvino wakaswededza gondohwe rechipo chinopiswa; Aroni nevanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
  2937. Lev 8:19 Zvino wakariuraya; Mozisi ndokusasa ropa pamusoro pearitari kupoteredza.
  2938. Lev 8:20 Ndokugura gondohwe panhindi dzaro; Mozisi ndokupisa musoro, nenhindi, nemafuta.
  2939. Lev 8:21 Zvino wakasuka zvemukati nemakumbo mumvura; Mozisi ndokupisa gondohwe rose paaritari, chipo chinopiswa chehwema hunonhuhwira; chipo chemoto kuna Jehovha; Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  2940. Lev 8:22 Zvino wakaswededza rimwe gondohwe, gondohwe rekugadza; Aroni nevanakomana vake ndokuisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
  2941. Lev 8:23 Zvino wakaribaya; Mozisi ndokutora rimwe reropa raro, ndokuisa pamucheto wenzeve yaAroni yerudyi, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi.
  2942. Lev 8:24 Zvino wakaswededza vanakomana vaAroni; Mozisi ndokuisa rimwe reropa pamucheto wenzeve dzavo dzerudyi, nepagunwe reruoko rwavo rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwavo rwerudyi; Mozisi ndokusasa ropa pamusoro pearitari kupoteredza.
  2943. Lev 8:25 Zvino wakatora mafuta nebemhe nemafuta ose epamusoro pezvemukati nemafuta epachiropa, neitsvo mbiri nemafuta adzo, nebandauko rerudyi;
  2944. Lev 8:26 ndokubudisa mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa zvaiva pamberi paJehovha, keke rimwe risina kuviriswa, nekeke rimwe rechingwa chakazorwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, ndokuisa pamusoro pemafuta nepabandauko rerudyi.
  2945. Lev 8:27 Ndokuisa zvose pamaoko aAroni, nepamaoko evanakomana vake, ndokuzvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
  2946. Lev 8:28 Mozisi ndokuzvitora kubva pamaoko avo, ndokupisa paaritari pamusoro pechipo chinopiswa; zvikava zvekugadza zvehwema hunonhuhwira; chipo chemoto kuna Jehovha.
  2947. Lev 8:29 Zvino Mozisi wakatora chityu ndokuchizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chikava mugove waMozisi pagondohwe rekugadza; Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  2948. Lev 8:30 Zvino Mozisi wakatora mamwe emafuta ekuzodza, nerimwe reropa raiva riri pamusoro pearitari, ndokusasa pamusoro paAroni, nepamusoro penguvo dzake, nepamusoro pevanakomana vake, nepamusoro penguvo dzevanakomana vake pamwe naye; ndokuita Aroni mutsvene, nenguvo dzake, nevanakomana vake, nenguvo dzevanakomana vake pamwe naye.
  2949. Lev 8:31 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni nekuvanakomana vake: Bikai nyama pamukova wetende rekusangana, muidyepo nechingwa chiri mudengu rekugadza, sezvandakaraira ndichiti: Aroni nevanakomana vake vachazvidya.
  2950. Lev 8:32 Zvino zvinosara zvenyama nezvechingwa muchapisa nemoto.
  2951. Lev 8:33 Uye hamungabudi pamukova wetende rekusangana mazuva manomwe, kusvika zuva rekuzara kwemazuva ekugadzwa kwenyu; nokuti achakutsaurai mazuva manomwe.
  2952. Lev 8:34 Sezvaaita nhasi, Jehovha waraira kuzviita, kukuitirai chiyananiso.
  2953. Lev 8:35 Naizvozvo muchagara pamukova wetende rekusangana masikati neusiku mazuva manomwe, mugochengeta kuraira kwaJehovha, kuti murege kufa; nokuti ndizvo zvandarairwa.
  2954. Lev 8:36 Zvino Aroni nevanakomana vake vakaita zvinhu zvose Jehovha zvaakaraira neruoko rwaMozisi.
  2955. Lev 9:1 Zvino zvakaitika nemusi werusere [kuti] Mozisi wakadana Aroni nevanakomana vake, nevakuru vaIsraeri,
  2956. Lev 9:2 ndokuti kuna Aroni: Zvitorere mhuru, mwana wemombe, chive chipo chezvivi, negondohwe rive chipo chinopiswa, zvisina chazvingapomerwa, ugouya nazvo pamberi paJehovha.
  2957. Lev 9:3 Uye kuvana vaIsraeri uchataura uchiti: Torai nhongo yembudzi ive chipo chezvivi, nemhuru, negwayana, zvegore rimwe, zvisina chazvingapomerwa, zvive chipo chinopiswa;
  2958. Lev 9:4 nenzombe diki negondohwe zvive zvipo zvekuyananisa, kubaira pamberi paJehovha; nechipo chechidyiwa chakakanyiwa nemafuta; nokuti nhasi Jehovha achaonekwa kwamuri.
  2959. Lev 9:5 Zvino vakatora izvo Mozisi zvaaiva araira vakaisa pamberi petende rekusangana; ungano yose ndokuswedera ndokumira pamberi paJehovha.
  2960. Lev 9:6 Mozisi ndokuti: Ndicho chinhu icho Jehovha chaakaraira kuti muchiite; uye kubwinya kwaJehovha kuchaonekwa kwamuri.
  2961. Lev 9:7 Mozisi ndokuti kuna Aroni: Swedera kuaritari ugogadzira chipo chako chezvivi, nechipo chako chinopiswa, ugozviitira chiyananiso iwe nevanhu; uitirewo vanhu chipo, ugovaitira chiyananiso, Jehovha sezvaakaraira.
  2962. Lev 9:8 Aroni ndokuswedera kuaritari, ndokubaya mhuru yechipo chezvivi chaiva chake.
  2963. Lev 9:9 Vanakomana vaAroni ndokuuya neropa kwaari, iye ndokunyika munwe wake muropa, ndokuriisa panyanga dzearitari, ndokudurura ropa pazasi pearitari.
  2964. Lev 9:10 Asi mafuta neitsvo nemafuta epachiropa echipo chezvivi wakapisa paaritari, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  2965. Lev 9:11 Zvino nyama nedehwe wakapisa nemoto kunze kwemusasa.
  2966. Lev 9:12 Zvino wakabaya chipo chinopiswa; vanakomana vaAroni ndokumugamuchidza ropa, raakasasa pamusoro pearitari kupoteredza.
  2967. Lev 9:13 Vakamugamuchidzawo chipo chinopiswa nenhindi dzacho, nemusoro; iye ndokupisa pamusoro pearitari.
  2968. Lev 9:14 Zvino wakasuka zvemukati nemakumbo, ndokupisa pamusoro pechipo chinopiswa paaritari.
  2969. Lev 9:15 Zvino wakauya nechipo chevanhu, ndokutora mbudzi yechipo chezvivi chaiva chevanhu, ndokuibaya, akaipa kuva chipo chezvivi, seyekutanga.
  2970. Lev 9:16 Wakauya nechipo chinopiswa, ndokuchiita zvinoenderana nechimiso.
  2971. Lev 9:17 Akauyawo nechipo chechidyiwa, akazadza ruoko rwake nacho, ndokupisa pamusoro pearitari, kunze kwechipo chinopiswa chemangwanani.
  2972. Lev 9:18 Wakabayawo nzombe diki negondohwe, zvive chibairo chezvipo zvekuyananisa chaiva chevanhu; vanakomana vaAroni ndokumugamuchidza ropa, raakasasa pamusoro pearitari kupoteredza;
  2973. Lev 9:19 nemafuta enzombe diki, neegondohwe, bemhe, nemafuta anofukidza zvemukati, neitsvo, nemafuta epachiropa.
  2974. Lev 9:20 Uye vakaisa mafuta pamusoro pezvityu, iye ndokupisa mafuta paaritari.
  2975. Lev 9:21 Asi zvityu nebandauko rerudyi Aroni wakazunguzira, chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha, Mozisi sezvaakaraira.
  2976. Lev 9:22 Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, ndokuvaropafadza; ndokuburuka agadzira chipo chezvivi nechipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa.
  2977. Lev 9:23 Zvino Mozisi naAroni vakapinda mutende rekusangana, ndokubuda, ndokuropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha ndokuonekwa kuvanhu vose.
  2978. Lev 9:24 Zvino kwakabuda moto kubva pamberi paJehovha, ndokupedza chipo chinopiswa nemafuta pamusoro pearitari. Vanhu vose vakati vachiona vakadanidzira, ndokuwa nezviso zvavo.
  2979. Lev 10:1 Zvino Nadhabhi naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora umwe neumwe hadyana yake yekupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira, ndokuisamo moto, ndokuisa pamusoro pawo zvipfungaidzo zvinonhuhwira, vakapa moto usingazikanwi pamberi paJehovha, waasina kuvaraira.
  2980. Lev 10:2 Zvino kwakabuda moto kubva pamberi paJehovha ndokuvapedza; zvino vakafa pamberi paJehovha.
  2981. Lev 10:3 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni: Ndizvo Jehovha zvaakataura, achiti: Ndichaitwa mutsvene mune vanoswedera kwandiri, uye ndicharumbidzwa pamberi pevanhu vose. Aroni ndokunyarara.
  2982. Lev 10:4 Zvino Mozisi wakadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUziyeri, babamunini vaAroni, ndokuti kwavari: Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, kusvika kunze kwemusasa.
  2983. Lev 10:5 Zvino vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemusasa vane nguvo dzavo refu, Mozisi sezvaaiva areva.
  2984. Lev 10:6 Mozisi ndokuti kuna Aroni nekuna Eriazari nekuna Itamari vanakomana vake: Musafudugura misoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, zvimwe mungafa, agotsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, imba yose yaIsraeri, ngavacheme kupisa Jehovha kwaakatungidza.
  2985. Lev 10:7 Uye musabuda pamukova wetende rekusangana, kuti zvimwe mungafa; nokuti mafuta ekuzodza aJehovha ari pamusoro penyu. Vakaita seshoko raMozisi.
  2986. Lev 10:8 Zvino Jehovha wakataura kuna Aroni achiti:
  2987. Lev 10:9 Usanwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, iwe nevanakomana vako pamwe newe, kana muchipinda mutende rekusangana, kuti murege kufa; chimiso nekusingaperi pamazera enyu.
  2988. Lev 10:10 Uye kuti muise musiyano pakati pechitsvene nechisiri chitsvene, nepakati pechisina kuchena nechakachena;
  2989. Lev 10:11 nekudzidzisa vana vaIsraeri mitemo yose yaJehovha yaakataura kwavari neruoko rwaMozisi.
  2990. Lev 10:12 Zvino Mozisi wakataura kuna Aroni nekuna Eriazari nekuna Itamari vanakomana vake vaiva vasara, akati: Torai chipo chechidyiwa chakasara pazvipo zvemoto zvaJehovha, mugochidya chisina mbiriso parutivi rwearitari; nokuti chitsvene chechitsvene.
  2991. Lev 10:13 Uye muchachidyira panzvimbo tsvene, nokuti ifaniro yako nefaniro yevanakomana vako yezvipo zvaJehovha zvemoto; nokuti ndakarairwa saizvozvo.
  2992. Lev 10:14 Asi chityu chekuzunguzira nebandauko rekusimudzira muchadyira panzvimbo yakachena, iwe, nevanakomana vako, nevanasikana vako pamwe newe; nokuti ifaniro yako nefaniro yevanakomana vako zvakapiwa kubva pazvibairo zvezvipo zvekuyananisa zvevana vaIsraeri.
  2993. Lev 10:15 Bandauko rekusimudzira nechityu chekuzunguzira vachauya nazvo pamwe nezvipo zvemoto zvemafuta, kuti vazunguzire chipo chekuzunguzira pamberi paJehovha; uye chichava chako nechevanakomana vako pamwe newe chive chimiso nekusingaperi, Jehovha sezvaakaraira.
  2994. Lev 10:16 Zvino Mozisi wakatsvakisisa mbudzi yechipo chezvivi, zvino tarira, yakapiswa. Zvino akatsamwira Eriazari naItamari, vanakomana vaAroni vaiva vasara, achiti:
  2995. Lev 10:17 Makaregerei kudyira chipo chezvivi panzvimbo tsvene? Nokuti chitsvene chechitsvene, uye wakakupai icho kutakura kuipa kweungano, muvaitire chiyananiso pamberi paJehovha.
  2996. Lev 10:18 Tarirai, ropa rayo harina kupinzwa mukati menzvimbo tsvene; mungadai zvirokwazvo makaidyira panzvimbo tsvene, sezvandakaraira.
  2997. Lev 10:19 Aroni ndokuti kuna Mozisi: Tarira, nhasi vapa chipo chavo chezvivi nechipo chavo chinopiswa pamberi paJehovha, zvino zvinhu zvakadai zvandiwira; zvino dai ndakadya chipo chezvivi nhasi, zvingava zvakanaka pameso aJehovha here?
  2998. Lev 10:20 Mozisi wakati anzwa zvikava zvakanaka pameso ake.
  2999. Lev 11:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni, achiti kwavari:
  3000. Lev 11:2 Taurai kuvana vaIsraeri muchiti: Izvi zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:
  3001. Lev 11:3 Chose chakaparadzanisa hwanda nechine tsoka dzakaparadzana chinodzeya pakati pemhuka, ichi mungadya.
  3002. Lev 11:4 Asi izvi hamungazvidyi pane zvinodzeya uye pane zvakaparadzanisa hwanda: Kamera, nokuti inodzeya asi haina kuparadzanisa hwanda kaviri; haina kuchena kwamuri.
  3003. Lev 11:5 Nembira, nokuti inodzeya, asi haina kuparadzanisa hwanda; haina kuchena kwamuri.
  3004. Lev 11:6 Netsuro, nokuti inodzeya, asi haina kuparadzanisa hwanda; haina kuchena kwamuri.
  3005. Lev 11:7 Nenguruve, nokuti yakaparadzanisa hwanda nekuparadzanisa mahwanda kaviri asi haidzeyi; haina kuchena kwamuri.
  3006. Lev 11:8 Musadya panyama yazvo, uye musagunzva chitunha chazvo; hazvina kuchena kwamuri.
  3007. Lev 11:9 Izvi mungadya pane zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi nemakwanda mumvura, mumakungwa nemunzizi, izvo mungadya.
  3008. Lev 11:10 Asi zvose zvisina zvimbi nemakwanda mumakungwa nemunzizi, pachose chinopfakanyika chiri mumvura, kana pazvisikwa zvipenyu zvose mumvura, chinyangadzo kwamuri.
  3009. Lev 11:11 Hongu, zvichava chinyangadzo kwamuri; musadya panyama yazvo, asi muchanyangadzwa nemutumbi wazvo.
  3010. Lev 11:12 Chose chisina zvimbi kana makwanda mumvura chinyangadzo kwamuri.
  3011. Lev 11:13 Zvino izvi muchanyangadzwa nazvo pakati peshiri; hazvingadyiwi, izvi chinyangadzo: Gondo, negora guru, nenyamudzura;
  3012. Lev 11:14 neruvangu, nenjerere zvichienderana nemarudzi ayo;
  3013. Lev 11:15 gunguvo rimwe nerimwe zvichienderana nemarudzi aro;
  3014. Lev 11:16 nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, neruvangu nemarudzi arwo;
  3015. Lev 11:17 nezizi diki, nekateveteve, nezizi guru;
  3016. Lev 11:18 nejichidza, nekondo, negora;
  3017. Lev 11:19 neshuramurove, kondo nemarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
  3018. Lev 11:20 Zvipuka zvose zvine mapapiro zvinofamba nemana, chinyangadzo kwamuri.
  3019. Lev 11:21 Asi izvi mungadya pakati pechose chine mapapiro chinofamba nemana, chine makumbo ane magokora akadarika tsoka dzacho achinokwakuka nawo panyika.
  3020. Lev 11:22 Ndizvo zvamungadya pazviri: Mhashu zvichienderana nemarudzi ayo, nechinjiki zvichienderana nemarudzi ayo, nebambamukota zvichienderana nemarudzi aro, negwatakwata zvichienderana nemarudzi aro.
  3021. Lev 11:23 Asi zvose zvine mapapiro zvinokambaira zvine makumbo mana chinyangadzo kwamuri.
  3022. Lev 11:24 Zvino neizvi muchazvisvibisa: Ani nani anogunzva chitunha chazvo achava asina kuchena kusvika madekwani.
  3023. Lev 11:25 Uye ani nani anotakura pamutumbi wazvo achasuka nguvo dzake agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3024. Lev 11:26 Pamhuka dzose dzakaparadzanisa mahwanda, asi dzisina kuparadzanisa mahwanda kaviri, uye dzisingadzeyi, hadzina kuchena kwamuri; ani nani anodzigunzva achava asina kuchena.
  3025. Lev 11:27 Uye zvose zvinofamba nezvanza zvazvo pakati pemhuka dzose dzinofamba nemana hazvina kuchena kwamuri; ani nani anogunzva chitunha chazvo achava asina kunaka kusvika madekwani.
  3026. Lev 11:28 Uye anotakura zvechitunha chazvo achasuka nguvo dzake agova asina kuchena kusvika madekwani; zvichava zvisina kuchena kwamuri.
  3027. Lev 11:29 Izviwo hazvina kuchena kwamuri pane zvinokambaira zvinokambaira panyika: Chidembo, negonzo, negwavava zvichienderana nemarudzi aro,
  3028. Lev 11:30 nechipfira, nerwaivhi, nedzvinyu, nehozhwa, nedhambakura.
  3029. Lev 11:31 Izvi hazvina kuchena kwamuri pazvose zvinokambaira; ani nani anozvigunzva zvakafa achava asina kuchena kusvika madekwani.
  3030. Lev 11:32 Zvino chipi nechipi panowira chimwe nechimwe chazvo chakafa chichava chisina kuchena; kana uri mudziyo upi wematanda, kana nguvo, kana dehwe, kana saga, mudziyo upi neupi basa warinobatwa nawo, unofanira kuiswa mumvura ugova usina kuchena kusvika madekwani; ipapo uchava wakachena.
  3031. Lev 11:33 Nemudziyo umwe neumwe wevhu munowira chimwe chazvo, chipi nechipi chiri mauri chichava chisina kuchena, uye muchauputsa.
  3032. Lev 11:34 Zvekudya zvose zvingadyiwa apo mvura painosvika zvichava zvisina kuchena; nezvinonwiwa zvose zvinonwika zviri mumudziyo uyo zvichava zvisina kuchena.
  3033. Lev 11:35 Uye chose panowira chimwe chemutumbi wazvo chichava chisina kuchena, choto, kana chikuva chehari, zvichaputswa; hazvina kuchena, uye zvichava zvisina kuchena kwamuri.
  3034. Lev 11:36 Asi chitubu kana dziva remvura zhinji, zvichava zvakachena; asi chinogunzva mutumbi wazvo chichava chisina kuchena kwamuri.
  3035. Lev 11:37 Uye kana zvemutumbi wazvo zvikawira pamusoro pembeu inodzvarwa ipi neipi ichadzvarwa, ichava yakachena.
  3036. Lev 11:38 Asi kana mvura ikaiswa pambeu, uye chimwe chemutumbi wazvo chikawirapo, ichava isina kuchena kwamuri.
  3037. Lev 11:39 Zvino kana imwe yemhuka dziri kudya kwenyu ikafa, ani nani anogunzva mutumbi wayo achava asina kuchena kusvika madekwani.
  3038. Lev 11:40 Uye anodya pachitunha chayo achasuka nguvo dzake, agova asina kuchena kusvika madekwani; uye anotakura chitunha chayo achasuka nguvo dzake, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3039. Lev 11:41 Uye zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvichava zvinyangadzo, hazvifaniri kudyiwa.
  3040. Lev 11:42 Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba nemana, kana zvose zvine makumbo mazhinji pazvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kudya izvo; nokuti zvinyangadzo.
  3041. Lev 11:43 Musazviita chinyangadzo nechikambairi chipi nechipi, chinokambaira, musazviita vasina kuchena nazvo, kuti musvibiswe nazvo.
  3042. Lev 11:44 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zviitei vatsvene, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika.
  3043. Lev 11:45 Nokuti ndini Jehovha wakakukwidzai kubva panyika yeEgipita, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.
  3044. Lev 11:46 Ndiwo murairo wemhuka, neweshiri, newemweya mupenyu wose unopfakanyika mumvura, nechisikwa chose chinokambaira panyika;
  3045. Lev 11:47 kuti mutsaure pakati pezvisakachena nezvakachena, nepakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi.
  3046. Lev 12:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3047. Lev 12:2 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana mukadzi akabata mimba, ndokubereka munhurume, ipapo achava asina kuchena mazuva manomwe; semazuva ekuparadzaniswa ari kumwedzi achava asina kuchena.
  3048. Lev 12:3 Zvino nezuva rerusere nyama yake yeganda repamberi ichadzingiswa.
  3049. Lev 12:4 Achazogara mazuva makumi matatu nematatu muropa rekuchenurwa kwake; haangabati chinhu chitsvene, uye haangapindi panzvimbo tsvene, kusvika mazuva ekuchenurwa kwake azadziswa.
  3050. Lev 12:5 Asi kana akabereka munhukadzi, zvino achava asina kuchena mavhiki maviri, sepakuparadzaniswa kwake; achazogara mazuva makumi matanhatu nematatu muropa rekuchenurwa kwake.
  3051. Lev 12:6 Zvino kana mazuva ekuchenurwa kwake azadziswa, pamwanakomana kana pamwanasikana, achauya negwayana regore rimwe chive chipo chinopiswa, nemwana wehangaiwa, kana njiva, kuva chipo chezvivi, kumukova wetende rekusangana kumupristi.
  3052. Lev 12:7 Iye achaipa pamberi paJehovha, ndokumuitira chiyananiso; zvino achanatswa pakuyerera kweropa rake. Uyu murairo waiye anozobereka munhurume kana munhukadzi.
  3053. Lev 12:8 Zvino kana ruoko rwake rwusingawani zvinokwana gwayana, zvino achatora njiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa; imwe ive chipo chinopiswa, neimwe ive chipo chezvivi; uye mupristi achamuitira chiyananiso, uye achava wakachena.
  3054. Lev 13:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  3055. Lev 13:2 Kana munhu paganda renyama yake ane bundu kana kufunuka kana chivara, kana paganda renyama yake pakava sehosha yemaperembudzi, ipapo achaunzwa kuna Aroni mupristi, kana kune umwe wevanakomana vake vapristi.
  3056. Lev 13:3 Zvino mupristi achatarisa hosha iri paganda renyama; kana ruvhudzi rwuri pahosha rwakashanduka kuva ruchena, uye kuonekwa kwehosha kukadzika kupfuura ganda renyama yake, ihosha yemaperembudzi; mupristi achamutarisa, agomuti haana kuchena.
  3057. Lev 13:4 Zvino kana chivara chakachena paganda renyama yake, uye pakuonekwa kwacho chisina kudzika kupfuura ganda, neruvhudzi rwacho rwusina kusandurwa kuva ruchena, zvino mupristi achapfigira ane hosha mazuva manomwe.
  3058. Lev 13:5 Zvino mupristi achamutarisa nezuva rechinomwe; zvino tarira, hosha yakamira pameso ake, hosha isina kupararira muganda, zvino mupristi achamupfigira amwe mazuva manomwe.
  3059. Lev 13:6 Zvino mupristi achamutarisazve zuva rechinomwe; tarira, kana hosha yabvuruvara, kuti hosha haina kupararira paganda, zvino mupristi achareva kuti wakachena; kufunuka; zvino achasuka nguvo dzake, agova wakachena.
  3060. Lev 13:7 Asi kana kufunuka kuchipararira kwazvo paganda, shure kwekuratidzwa kwake kumupristi pakucheneswa kwake, acharatidzwazve kumupristi.
  3061. Lev 13:8 Kana mupristi akaona kuti, tarira, kufunuka kunopararira muganda, ipapo mupristi achareva kuti haana kuchena; maperembudzi.
  3062. Lev 13:9 Kana hosha yemaperembudzi iri mumunhu, zvino achaunzwa kumupristi.
  3063. Lev 13:10 Kana mupristi akatarisa, zvino tarira, bundu jena muganda uye rashandura ruvhudzi kuva ruchena, uye pane nyama tsvuku mhenyu pabundu,
  3064. Lev 13:11 ndiwo maperembudzi endambirira muganda renyama yake; zvino mupristi achamuti haana kuchena; haangamupfigiri, nokuti haana kuchena.
  3065. Lev 13:12 Zvino kana maperembudzi akabuda chose paganda, maperembudzi ndokufukidza ganda rose reane hosha, kubva pamusoro wake kusvikawo kutsoka dzake, pose panoonekwa nemeso emupristi;
  3066. Lev 13:13 zvino mupristi achaona; tarira, kana maperembudzi akafukidza nyama yake yose, achamuti wakachena ane hosha; zvose zvashanduka kuva zvichena; wakachena.
  3067. Lev 13:14 Asi nezuva richaonekwa nyama tsvuku kwaari, achava asina kuchena.
  3068. Lev 13:15 Kana mupristi aona nyama yakatsvuka, achareva kuti haana kuchena; nyama yakatsvuka haina kuchena; maperembudzi.
  3069. Lev 13:16 Kana kuti kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikashandurwa kuva chena, achauya kumupristi.
  3070. Lev 13:17 Ipapo mupristi achamutarira; kana, tarira, hosha yashandurwa kuva chena, ipapo mupristi achareva kuti wakachena iye ane hosha; wakachena.
  3071. Lev 13:18 Nenyama kana pane pairi, paganda rayo, mota, uye rapora,
  3072. Lev 13:19 nepanzvimbo yemota pakava nebundu jena, kana chivara chichena chakaita chitsvuku, zvicharatidzwa kumupristi.
  3073. Lev 13:20 Zvino mupristi achaona, uye tarira, kuonekwa kwacho kwakadzika kupfuura ganda, nevhudzi rapo rakashanduka kuva jena, mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha yemaperembudzi, yabuda pamota.
  3074. Lev 13:21 Asi kana mupristi akaitarira, zvino tarira, haina vhudzi jenapo uye hapana kudzika kupfuura ganda, asi yakabvuruvara, ipapo mupristi achamupfigira mazuva manomwe.
  3075. Lev 13:22 Zvino kana yakapararira kwazvo paganda, ipapo mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha.
  3076. Lev 13:23 Asi kana chivara chikagara panzvimbo yacho, chikasapararira, ivanga revutsva; mupristi achareva kuti wakachena.
  3077. Lev 13:24 Kana nyama, kana pane paganda rayo vutsva hwemoto, nekupora kwevutsva kuri vanga rinoonekwa jena rakatsvukuruka kana jena,
  3078. Lev 13:25 ipapo mupristi ariona, kuti tarira, vhudzi pachivara rakashandurwa kuva jena, uye kuonekwa kwaro kwakadzika kupfuura ganda, maperembudzi, akabuda pautsva; mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha yemaperembudzi.
  3079. Lev 13:26 Asi kana mupristi akaitarira, zvino tarira, hapana vhudzi jena pachivara uye haina kudzika kupfuura ganda, asi pabvuruvara, ipapo mupristi achamupfigira mazuva manomwe.
  3080. Lev 13:27 Zvino mupristi achamutarira zuva rechinomwe; kana rikapararira zvikuru muganda, mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha yemaperembudzi.
  3081. Lev 13:28 Zvino kana chivara chikagara panzvimbo yacho, chikasapararira paganda, asi chabvuruvara, ibundu rekutsva; uye mupristi achareva kuti wakachena, nokuti idukumbwa reutsva.
  3082. Lev 13:29 Zvino murume kana mukadzi, kana pane paari hosha pamusoro kana ndebvu,
  3083. Lev 13:30 zvino mupristi achatarira hosha; kana, tarira, kuonekwa kwayo kwakadzika kupfuura ganda, uye pairi vhudzi rakatsvukuruka riri dete, mupristi achareva kuti haana kuchena; pakafunuka, maperembudzi emumusoro kana ndebvu.
  3084. Lev 13:31 Kana mupristi akaona hosha yepakafunuka, zvino tarira, kuonekwa kwayo hakuna kudzika kupfuura ganda, uye hapana vhudzi dema pairi, ipapo mupristi achapfigira ane hosha yepakafunuka mazuva manomwe.
  3085. Lev 13:32 Zvino nezuva rechinomwe mupristi achatarira hosha; kana, tarira, pakafunuka hapana kupararira, uye hapana vhudzi rakatsvukuruka pairi, nekuonekwa kwepakafunuka hakuna kudzika kupfuura ganda,
  3086. Lev 13:33 achazviveura, asi pakafunuka haangapaveuri; zvino mupristi achapfigira ane pakafunuka amwe mazuva manomwe.
  3087. Lev 13:34 Zvino mupristi achatarira pakafunuka nezuva rechinomwe, zvino tarira, pakafunuka hapana kupararira muganda, nepakuonekwa kwayo hapana kudzika kupfuura ganda, ipapo mupristi achareva kuti wakachena; uye achasuka nguvo dzake, agova wakachena.
  3088. Lev 13:35 Asi kana pakafunuka pakapararira pose paganda shure kwekunatswa kwake,
  3089. Lev 13:36 mupristi achamuona; kana, tarira, pakafunuka papararira paganda, mupristi ngaarege kutsvaka vhudzi rakatsvukuruka; haana kuchena.
  3090. Lev 13:37 Asi kana pameso ake pakafunuka pakamira, nevhudzi dema rabudapo, pakafunuka papora, wakachena; uye mupristi achareva kuti wakachena.
  3091. Lev 13:38 Zvino murume kana mukadzi, kana pane zvivara paganda renyama yavo, zvivara zvichena,
  3092. Lev 13:39 zvino mupristi achatarira, zvino tarira, zvivara muganda renyama yavo zvakabvuruvara zvichena, imhezi dzakabuda paganda, wakachena.
  3093. Lev 13:40 Nemurume, kana musoro wake wava nemhanza, ane mhanza, wakachena.
  3094. Lev 13:41 Uye kana musoro wake usisina vhudzi kuhuma yawo, ane mhanza pahuma, wakachena.
  3095. Lev 13:42 Asi kana pamhanza kana pamhanza yepahuma pane ronda jena rakatsvukuruka, maperembudzi anobuda pamhanza yake kana pamhanza yepahuma yake.
  3096. Lev 13:43 Zvino mupristi achamutarira; zvino tarira, bundu reronda rakachena rakatsvukuruka pamhanza yake kana pamhanza yake yepahuma, sekuonekwa kwemaperembudzi paganda renyama,
  3097. Lev 13:44 munhu wemaperembudzi, haana kuchena; mupristi achamureva kwazvo kuti haana kuchena; hosha yake iri pamusoro wake.
  3098. Lev 13:45 Zvino ane maperembudzi, ane hosha iyi, nguvo dzake dzichabvarurwa, nemusoro wake ufukurwe, uye achafukidza muromo wake wekumusoro, agochema achiti: Kusachena, kusachena!
  3099. Lev 13:46 Mazuva ose hosha iri paari, achava asina kuchena; haana kuchena; achagara oga; ugaro hwake huchava kunze kwemusasa.
  3100. Lev 13:47 Nguvowo, kana pane hosha yemaperembudzi pairi, panguvo yemakushe emakwai, kana panguvo yemucheka,
  3101. Lev 13:48 kana iri pakarukwa, kana pakakoshwa pemucheka kana pemakushe emakwai, kana mudehwe, kana muchinhu chipi nechipi chakaitwa nedehwe;
  3102. Lev 13:49 kana hosha yakaita seruvara rwemashizha kana kutsvukuruka panguvo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha yemaperembudzi; uye icharatidzwa kumupristi.
  3103. Lev 13:50 Zvino mupristi achatarira hosha, ndokupfigira chine hosha mazuva manomwe.
  3104. Lev 13:51 Zvino achatarira hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakapararira panguvo, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pane zvedehwe, pabasa ripi neripi rinoitwa nedehwe, hosha iyo maperembudzi akaipa; haina kuchena.
  3105. Lev 13:52 Nazvozvo achapisa nguvo kana zvakarukwa kana zvakakoshwa zvemakushe emakwai kana zvemucheka kana chinhu chipi nechipi chedehwe pachiri pane hosha; nokuti maperembudzi akaipa; ichapiswa mumoto.
  3106. Lev 13:53 Zvino kana mupristi akaona, uye tarira, hosha haina kupararira panguvo kana pakarukwa kana pakakoshwa kana pachinhu chipi nechipi chedehwe,
  3107. Lev 13:54 mupristi acharaira kuti vasuke icho pane hosha pachiri, zvino achachipfigira amwe mazuva manomwe.
  3108. Lev 13:55 Zvino mupristi achaona hosha shure kwekunge yasukwa, uye tarira, hosha haina kushanduka maonekero ayo, uye hosha haina kupararira, hachina kuchena; uchachipisa mumoto; iburi necheshure kwacho kana nechemberi kwacho.
  3109. Lev 13:56 Zvino kana mupristi akaona, uye tarira, hosha yabvuruvara shure kwekunge yasukwa, ipapo achachibvarura kubva panguvo kana kubva padehwe kana kubva pakarukwa kana kubva pakakoshwa.
  3110. Lev 13:57 Asi kana ikaramba ichionekwa panguvo kana pakarukwa kana pakakoshwa kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, inopararira; uchapisa icho pane hosha pachiri nemoto.
  3111. Lev 13:58 Asi nguvo kana pakarukwa kana pakakoshwa kana chinhu chipi nechipi chedehwe chauchasuka, kana hosha ikabva kwachiri, ipapo chichasukwa rwechipiri, chigova chakachena.
  3112. Lev 13:59 Uyu murairo wehosha yemaperembudzi enguvo yemakushe emakwai kana mucheka kana chakarukwa kana chakakoshwa kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakachena kana kunzi hachina kuchena.
  3113. Lev 14:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3114. Lev 14:2 Uyu uchava murairo weane maperembudzi nezuva rekunatswa kwake, kana auyiswa kumupristi.
  3115. Lev 14:3 Zvino mupristi achabuda kunze kwemusasa, uye mupristi achaona, zvino tarira, hosha yemaperembudzi yarapika kune ane maperembudzi;
  3116. Lev 14:4 zvino mupristi acharaira kuti atorere achanatswa shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda remusidhari, nezvitsvuku, nehisopi.
  3117. Lev 14:5 Zvino mupristi acharaira kuti shiri imwe iurawe mumudziyo wevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
  3118. Lev 14:6 Shiri mhenyu achaitora, nedanda remusidhari, nezvitsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
  3119. Lev 14:7 Zvino achasasa pamusoro peachanatswa kubva pamaperembudzi kanomwe, ndokureva kuti wakachena; agosunungura shiri mhenyu iende mubani.
  3120. Lev 14:8 Zvino uyo achanatswa achasuka nguvo dzake nekuveura vhudzi rake rose, ndokuzvishambidza mumvura, kuti ave wakachena; zvino shure kweizvozvo achapinda mumusasa, asi agare kunze kwetende rake mazuva manomwe.
  3121. Lev 14:9 Zvino zvichaitika nezuva rechinomwe kuti achaveura vhudzi rake rose, musoro wake nendebvu dzake netsiye dzake, uye vhudzi rake rose achariveura, agosuka nguvo dzake, achashambawo muviri wake mumvura, agova wakachena.
  3122. Lev 14:10 Zvino nezuva rerusere achatora makwayana maviri makono asina chaangapomerwa, negwayana rimwe gadzi rine gore rimwe risina charingapomerwa, nezvikamu zvitatu zvechegumi cheupfu hwakatsetseka, chipo chechidyiwa, chakakanyiwa nemafuta, nerogi imwe yemafuta.
  3123. Lev 14:11 Zvino mupristi anonatsa achauya nemunhu achanatswa nezvinhu izvi pamberi paJehovha, pamukova wetende rekusangana.
  3124. Lev 14:12 Zvino mupristi achatora gwayana rimwe, ndokuripa kuva chipo chemhosva, nerogi yemafuta, ndokuzvizunguzira, chive chipo chekuzunguzira pamberi paJehovha.
  3125. Lev 14:13 Zvino achabaya gwayana panzvimbo paachauraira chipo chezvivi nechipo chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipo chemhosva, ndechemupristi sechipo chezvivi; chitsvene chezvitsvene.
  3126. Lev 14:14 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rechipo chemhosva, mupristi ndokuriisa pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi.
  3127. Lev 14:15 Zvino mupristi achatora parogi yemafuta ndokudira muchanza cheruoko rwake rweruboshwe.
  3128. Lev 14:16 Zvino mupristi achanyika munwe wake werudyi mumafuta ari muruoko rwake rweruboshwe, agosasa amwe emafuta nemunwe wake kanomwe pamberi paJehovha.
  3129. Lev 14:17 Zvino pane anosara emafuta ari muruoko rwake mupristi achaaisa pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi, pamusoro peropa rechipo chemhosva.
  3130. Lev 14:18 Anosara emafuta ari muruoko rwemupristi achaaisa pamusoro weachanatswa; mupristi agomuitira chiyananiso pamberi paJehovha.
  3131. Lev 14:19 Zvino mupristi achagadzira chipo chezvivi, agoitira chiyananiso achanatswa pakusachena kwake; uye pashure achauraya chipo chinopiswa.
  3132. Lev 14:20 Zvino mupristi achapa chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa paaritari, mupristi agomuitira chiyananiso, agova wakachena.
  3133. Lev 14:21 Zvino kana ari murombo, neruoko rwake rwusingasvikiri, ipapo achatora gwayana rimwe rive chipo chemhosva chekuzunguzira, kumuitira chiyananiso, nechegumi cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, chive chipo chechidyiwa, nerogi yemafuta,
  3134. Lev 14:22 nenjiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, izvo ruoko rwake rwuchasvikira; imwe igova chipo chezvivi uye imwe chipo chinopiswa.
  3135. Lev 14:23 Uye nezuva rerusere achazviunza kuitira kunatswa kwake kumupristi kumukova wetende rekusangana pamberi paJehovha.
  3136. Lev 14:24 Zvino mupristi achatora gwayana rechipo chemhosva, nerogi yemafuta, mupristi agozvizunguzira chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
  3137. Lev 14:25 Zvino achauraya gwayana rechipo chemhosva, mupristi agotora rimwe reropa rechipo chemhosva ndokuriisa pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi.
  3138. Lev 14:26 Zvino mupristi achadira amwe emafuta muchanza cheruoko rwemupristi rweruboshwe.
  3139. Lev 14:27 Mupristi agosasa nemunwe wake werudyi amwe emafuta ari muruoko rwake rweruboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
  3140. Lev 14:28 Zvino mupristi achaisa amwe emafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi, panzvimbo yeropa rechipo chemhosva.
  3141. Lev 14:29 Mafuta akasara ari muruoko rwemupristi achaisa pamusoro weachanatswa, kumuitira chiyananiso pamberi paJehovha.
  3142. Lev 14:30 Zvino achagadzira imwe yenjiva kana pavana vehangaiwa, kubva pane icho ruoko rwake charwunosvikira.
  3143. Lev 14:31 Icho ruoko rwake charwunosvikira, imwe chipo chezvivi, uye imwe chipo chinopiswa, pamwe nechipo chechidyiwa; mupristi agoitira chiyananiso uyo achanatswa pamberi paJehovha.
  3144. Lev 14:32 Uyu murairo wepaari pane hosha yemaperembudzi, weruoko rwusingasvikiri pakunatswa kwake.
  3145. Lev 14:33 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  3146. Lev 14:34 Kana masvika kunyika yeKenani, yandinokupai kuva nhaka yenyu, zvino ndikaisa hosha yemaperembudzi muimba yenyika yenhaka yenyu,
  3147. Lev 14:35 ane imba achauya ndokuudza mupristi, achiti: Zvinoratidza kwandiri senge hosha muimba.
  3148. Lev 14:36 Ipapo mupristi acharaira kuti vabudise zviri muimba mupristi asati apinda kunoona hosha, kuti zvose zviri muimba zvisaitwa zvisina kuchena; zvino shure kweizvozvo mupristi achapinda kunoona imba.
  3149. Lev 14:37 Zvino achatarira hosha; zvino tarira, hosha iri mumadziro eimba ine mwena-mwena seruvara rwemashizha kana kutsvukuruka, uye kuonekwa kwayo kwakadzika kupfuura madziro.
  3150. Lev 14:38 Zvino mupristi achabuda paimba ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe.
  3151. Lev 14:39 Zvino mupristi achadzoka nezuva rechinomwe, agotarira; zvino tarira, hosha yakapararira pamadziro eimba,
  3152. Lev 14:40 zvino mupristi acharaira kuti vabvise mabwe ane hosha iri paari vagoakandira kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.
  3153. Lev 14:41 Uye achaita kuti imba iparwe mukati kupoteredza, uye vachadurura mavhu avanopara kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.
  3154. Lev 14:42 Zvino vachatora amwe mabwe ndokuisa panzvimbo yemabwe iwayo, uye achatora rimwe ivhu agodzura imba.
  3155. Lev 14:43 Zvino kana hosha ikadzoka ndokubuda mumba, shure kwekunge abvisa mabwe uye shure kwekunge apara imba, uye shure kwekunge yadzurwa,
  3156. Lev 14:44 zvino mupristi achauya ndokutarira, zvino tarira, hosha yapararira mumba, maperembudzi akaipa mumba, haina kuchena.
  3157. Lev 14:45 Zvino achaputsa imba, mabwe ayo, nematanda ayo, nevhu rose reimba, ndokutakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.
  3158. Lev 14:46 Uye ani nani anopinda muimba pamazuva ose ayakapfigwa achava asina kuchena kusvika madekwani.
  3159. Lev 14:47 Neanorara muimba iyo achasuka nguvo dzake, uye anodyira muimba iyo achasuka nguvo dzake.
  3160. Lev 14:48 Zvino kana mupristi akapinda nekupinda ndokutarira, zvino tarira, hosha haina kupararira mumba shure kwekunge imba yadzurwa, zvino mupristi achareva kuti imba yakachena, nokuti hosha yapora.
  3161. Lev 14:49 Zvino kuti imba ichene achatora shiri mbiri nedanda remusidhari nezvitsvuku nehisopi.
  3162. Lev 14:50 Agouraya imwe yeshiri mumudziyo wevhu pamusoro pemvura inoyerera.
  3163. Lev 14:51 Ndokutora danda remusidhari, nehisopi, nezvitsvuku, neshiri mhenyu, agozvinyika muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe.
  3164. Lev 14:52 Zvino achanatsa imba neropa reshiri, uye nemvura inoyerera, uye neshiri mhenyu, uye nedanda remusidhari, uye nehisopi, uye nezvitsvuku.
  3165. Lev 14:53 Asi acharegedza shiri mhenyu iende kunze kweguta kubani; saizvozvo achaitira imba chiyananiso, igova yakachena.
  3166. Lev 14:54 Uyu murairo wehosha yose yemaperembudzi, nepakafunuka,
  3167. Lev 14:55 newemaperembudzi enguvo, neeimba,
  3168. Lev 14:56 newebundu, newemhezi, newechivara,
  3169. Lev 14:57 kudzidzisa zvemusi wekusachena, uye zvemusi wekuchena. Uyu murairo wemaperembudzi.
  3170. Lev 15:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  3171. Lev 15:2 Taurai kuvana vaIsraeri mugoti kwavari: Kana murume upi neupi ane zvinoyerera kubva panyama yake, pakuyerera kwake haana kuchena.
  3172. Lev 15:3 Uku kuchava kusachena kwake pakuyerera kwake: Kana nyama yake ichiyerera zvinoyerera zvayo, kana nyama yake iri yamira pakuyerera kwayo, ndiko kusachena kwake.
  3173. Lev 15:4 Mubhedha umwe neumwe waanorara pauri ane kuyerera uchava usina kuchena; nechose chinhu chaanogara pachiri chichava chisina kuchena.
  3174. Lev 15:5 Zvino ani nani anogunzva mubhedha wake achasuka nguvo dzake nekushamba mumvura, ave asina kuchena kusvika madekwani.
  3175. Lev 15:6 Zvino ani nani anogara pane chinhu chakagara ane kuyerera achasuka nguvo dzake nekushamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3176. Lev 15:7 Neanogunzva nyama yeane kuyerera achasuka nguvo dzake, agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3177. Lev 15:8 Zvino kana ane kuyerera akapfira pane wakachena, ipapo achasuka nguvo dzake ndokushamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3178. Lev 15:9 Chigaro chekutasvisa mhuka chipi nechipi panotasva ane kuyerera chichava chisina kuchena.
  3179. Lev 15:10 Uye ani nani anogunzva chero chinhu chaiva chiri pasi pake achava asina kuchena kusvika madekwani; uye anotakura zvinhu izvo achasuka nguvo dzake agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3180. Lev 15:11 Zvino ani nani waanogunzva iye ane kuyerera, uye asina kusukurudza maoko ake mumvura, achasuka nguvo dzake, agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3181. Lev 15:12 Nemudziyo wevhu, waanogunzva ane kuyerera, uchaputsiwa, uye mudziyo umwe neumwe wedanda uchasukurudzwa mumvura.
  3182. Lev 15:13 Zvino kana ane kuyerera akanatswa pakuyerera kwake, ipapo achazviverengera mazuva manomwe ekuzvinatsa kwake, agosuka nguvo dzake, ndokushamba nyama yake mumvura inoyerera, agova wakachena.
  3183. Lev 15:14 Zvino nezuva rerusere achazvitorera njiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, agouya pamberi paJehovha kumukova wetende rekusangana, ndokuzvipa kumupristi.
  3184. Lev 15:15 Zvino mupristi achazvipa, imwe ive chipo chezvivi, neimwe ive chipo chinopiswa; zvino mupristi achamuitira chiyananiso pamberi paJehovha pakuyerera kwake.
  3185. Lev 15:16 Zvino murume, kana urume hwekusangana hukabuda maari, ipapo achasuka nyama yake yose mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3186. Lev 15:17 Nenguvo ipi neipi nedehwe ripi neripi zvine urume hwekusangana zvichasukwa nemvura, zvigova zvisina kuchena kusvika madekwani.
  3187. Lev 15:18 Nemukadzi murume waacharara naye neurume hwekusangana, vachashamba mumvura, vagova vasina kuchena kusvika madekwani.
  3188. Lev 15:19 Zvino kana mukadzi ane kuyerera, kunoyerera panyama yake riri ropa, achava pakusachena kwake mazuva manomwe; uye ani nani anomugunzva achava asina kuchena kusvika madekwani.
  3189. Lev 15:20 Nechipi nechipi chaanorara pamusoro pacho pakusachena kwake chichava chisina kuchena; chipi nechipiwo chaanogara pamusoro pacho chichava chisina kuchena.
  3190. Lev 15:21 Zvino ani nani anogunzva mubhedha wake achasuka nguvo dzake, nekushamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3191. Lev 15:22 Uye ani nani anogunzva chipi nechipi chinhu chaanogara pachiri achasuka nguvo dzake agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3192. Lev 15:23 Zvino kana chiri pamubhedha kana pane chipi chaanogara pachiri, kana akachigunzva, achava asina kuchena kusvika madekwani.
  3193. Lev 15:24 Uye kana murume upi neupi akatongorara naye, uye kusachena kwake kuchiri pamusoro pake, achava asina kuchena mazuva manomwe; uye mubhedha wose waanorara pauri uchava usina kuchena.
  3194. Lev 15:25 Zvino mukadzi, kana kuyerera kweropa rake kukayerera mazuva mazhinji, isiri nguva yekuva kwake kumwedzi, uye kana zvakadarikidza kuyerera kwekuva kwake kumwedzi, mazuva ose ekuyerera kwekusachena kwake achava semazuva ekuva kwake kumwedzi; haana kuchena.
  3195. Lev 15:26 Mubhedha upi neupi paanorara pauri mazuva ose ekuyerera kwake uchava kwaari semubhedha wekuva kwake kumwedzi; nechinhu chipi paanogara pachiri chichava chisina kuchena, sekusachena kwekuva kwake kumwedzi.
  3196. Lev 15:27 Zvino ani nani anogunzva zvinhu izvo achava asina kuchena; zvino achasuka nguvo dzake, agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  3197. Lev 15:28 Asi kana achena pakuyerera kwake, ipapo achazviverengera mazuva manomwe; uye shure kweizvozvo achava wakachena.
  3198. Lev 15:29 Zvino nezuva rerusere achazvitorera njiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, auye nazvo kumupristi, kumukova wetende rekusangana.
  3199. Lev 15:30 Zvino mupristi achapa imwe chive chipo chezvivi, neimwe chipo chinopiswa; mupristi agomuitira chiyananiso pamberi paJehovha pakuyerera kwekusachena kwake.
  3200. Lev 15:31 Saizvozvo muchaparadzanisa vana vaIsraeri pakusachena kwavo, kuti varege kufa pakusachena kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo.
  3201. Lev 15:32 Uyu murairo weane kuyerera, neuyo kunobuda kwaari urume hwekusangana, akazosvibiswa nazvo,
  3202. Lev 15:33 neanorwara nekuva kwake kumwedzi, neanoyerera kuyerera kwake, pamurume nepamukadzi, nepane anorara naiye asina kuchena.
  3203. Lev 16:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi, shure kwekufa kwevanakomana vaviri vaAroni, pakuswedera kwavo pamberi paJehovha vakafa.
  3204. Lev 16:2 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Taura kuna Aroni mukoma wako kuti asapinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mevheiri pamberi pechigaro chengoni chiri pamusoro peareka, kuti asafa; nokuti ndichaonekwa mugore pamusoro pechigaro chengoni.
  3205. Lev 16:3 Neizvi Aroni achapinda munzvimbo tsvene: Nenzombe diki, mhuru yemombe, ive chipo chezvivi, negondohwe rive chipo chinopiswa.
  3206. Lev 16:4 Achapfeka nguvo tsvene refu yemucheka, uye kuchava nezvikadubura zvemukati zvemucheka panyama yake, agosungwa chiuno nebhanhire remucheka, nekudzika ngundu yemucheka; ndidzo nguvo tsvene; saka achashamba nyama yake nemvura, agozvipfeka.
  3207. Lev 16:5 Zvino achatora paungano yevana vaIsraeri nhongo mbiri chive chipo chezvivi, negondohwe rimwe chive chipo chinopiswa.
  3208. Lev 16:6 Zvino Aroni achapa nzombe diki yechipo chezvivi iri yake, agozviitira chiyananiso uye kuitira imba yake.
  3209. Lev 16:7 Zvino achatora mbudzi mbiri, agodziisa pamberi paJehovha pamukova wetende rekusangana.
  3210. Lev 16:8 Uye Aroni achakanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri: Umwe mujenya waJehovha neumwe mujenya wembudzi yekurasira.
  3211. Lev 16:9 Zvino Aroni achauya nembudzi apo pawira mujenya kuna Jehovha, ndokuipa chive chipo chezvivi.
  3212. Lev 16:10 Asi mbudzi apo pawira mujenya kuva mbudzi yekurasira ichaiswa iri mhenyu pamberi paJehovha, kuti aite chiyananiso nayo, kuiregedza kuva mbudzi yekurasira iende murenje.
  3213. Lev 16:11 Zvino Aroni achauya nenzombe diki yechipo chezvivi chiri chake, agozviitira chiyananiso, nekuitira imba yake, agouraya nzombe diki yechipo chezvivi chiri chake.
  3214. Lev 16:12 Zvino achatora hadyana yezvipfungaidzo zvinonhuhwira izere nemazimbe emoto unobva paaritari pamberi paJehovha, nemaoko ake azere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira zvakakuyiwa, ndokuuya nazvo mukati mevheiri,
  3215. Lev 16:13 agoisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pemoto pamberi paJehovha, kuti gore reutsi hwezvipfungaidzo zvinonhuhwira rifukidze chigaro chengoni chiri pamusoro pechipupuriro, kuti asafa.
  3216. Lev 16:14 Zvino achatora rimwe reropa renzombe diki, agosasa nemunwe wake pamusoro pechigaro chengoni nechekumabvazuva; nerimwe reropa achasasa nemunwe wake kanomwe pamberi pechigaro chengoni.
  3217. Lev 16:15 Ipapo achauraya mbudzi yechipo chezvivi chiri chevanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mevheiri, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe diki, agorisasa pachigaro chengoni nepamberi pechigaro chengoni.
  3218. Lev 16:16 Zvino achaitira nzvimbo tsvene chiyananiso nekuda kwekusachena kwevana vaIsraeri, uye nekuda kwekudarika kwavo muzvivi zvavo zvose; saizvozvowo achaitira tende rekusangana rinogara navo pakati pekusachena kwavo.
  3219. Lev 16:17 Zvino kusava nemunhu mutende rekusangana paanopinda kuita chiyananiso panzvimbo tsvene kusvika abuda; uye azviitira chiyananiso nekuitira imba yake uye kuitira ungano yose yaIsraeri.
  3220. Lev 16:18 Ipapo achabudira kuaritari iri pamberi paJehovha, agoiitira chiyananiso; agotora rimwe reropa renzombe diki nerimwe reropa rembudzi ndokuisa panyanga dzearitari kupoteredza.
  3221. Lev 16:19 Zvino achasasa rimwe reropa kanomwe pamusoro payo nemunwe wake, ndokuinatsa nekuiita tsvene pakusachena kwevana vaIsraeri.
  3222. Lev 16:20 Zvino kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rekusangana nearitari, achapa mbudzi mhenyu.
  3223. Lev 16:21 Zvino Aroni achaisa maoko ake maviri pamusoro pemusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvevana vaIsraeri nekudarika kwavo kose, muzvivi zvavo zvose; achizviisa pamusoro pemusoro wembudzi, ndokuiregedza neruoko rwemurume akagadzirira, iende kurenje.
  3224. Lev 16:22 Zvino mbudzi iyo ichatakurira pamusoro payo zvakaipa zvavo zvose kunyika yakaparadzaniswa; agoregedzera mbudzi iyo murenje.
  3225. Lev 16:23 Zvino Aroni achapinda mutende rekusangana agobvisa nguvo dzemucheka dzaanopfeka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, ndokudzisiyapo.
  3226. Lev 16:24 Zvino achashambidza nyama yake nemvura munzvimbo tsvene, ndokupfeka nguvo dzake ndokubuda, agopa chipo chake chinopiswa nechipo chinopiswa chevanhu, agozviitira chiyananiso nekuitira vanhu.
  3227. Lev 16:25 Zvino achapisa mafuta echipo chezvivi pamusoro pearitari.
  3228. Lev 16:26 Zvino anoregedza nhongo sembudzi yekurasira achasuka nguvo dzake, ndokushambidza nyama yake mumvura, uye shure kweizvozvo apinde mumusasa.
  3229. Lev 16:27 Asi nzombe diki yechipo chezvivi nembudzi yechipo chezvivi, zveropa rakapinzwa panzvimbo tsvene kuita chiyananiso, zvichatakurirwa kunze kwemusasa; zvino vachapisa mumoto matehwe azvo nenyama yazvo nemazvizvi azvo.
  3230. Lev 16:28 Neanozvipisa achasuka nguvo dzake nekushamba nyama yake mumvura, shure kweizvozvo agopinda mumusasa.
  3231. Lev 16:29 Zvino chichava chimiso nekusingaperi kwamuri: Nemwedzi wechinomwe, nezuva regumi remwedzi, mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu, musaita chero basa, wakaberekerwa panyika kana mweni agere semweni pakati penyu.
  3232. Lev 16:30 Nokuti nezuva iro achakuitirai chiyananiso, kuti akunatsei; mugova vakachena pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha.
  3233. Lev 16:31 Isabata rezororo kwamuri, uye mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu; chimiso nekusingaperi.
  3234. Lev 16:32 Zvino mupristi wakazodzwa wakatsaurirwa kubata paupristi panzvimbo yababa vake, achaita chiyananiso agopfeka nguvo dzemucheka, idzo nguvo tsvene;
  3235. Lev 16:33 agoitira nzvimbo tsvene chiyananiso, uye achaitira tende rekusangana nearitari chiyananiso; uye achaitira vapristi nevanhu vose veungano chiyananiso.
  3236. Lev 16:34 Zvino ichi chichava chimiso chekusingaperi kwamuri, kuitira chiyananiso vana vaIsraeri kamwe pagore pamusoro pezvivi zvavo. Akaita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  3237. Lev 17:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3238. Lev 17:2 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake nekuvana vaIsraeri vose, ugoti kwavari: Iri ishoko Jehovha raakaraira achiti:
  3239. Lev 17:3 Munhu upi neupi weimba yaIsraeri anouraya nzombe kana gwayana kana mbudzi mumusasa, kana anourayira kunze kwemusasa,
  3240. Lev 17:4 asina kuzviuisa pamukova wetende rekusangana kupa chipo kuna Jehovha pamberi petabhenakeri yaJehovha, ropa richaverengerwa kumunhu uyu; wateura ropa; munhu uyu achagurwa kubva pakati pevanhu vekwake.
  3241. Lev 17:5 Kuti vana vaIsraeri vauye nezvipo zvavo zvavanopa kubani, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rekusangana kumupristi, vagozvipa kuva chibairo chekuyananisa kuna Jehovha.
  3242. Lev 17:6 Zvino mupristi achasasa ropa paaritari yaJehovha pamukova wetende rekusangana ndokupisa mafuta kuva hwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  3243. Lev 17:7 Zvino havachapizve zvibairo zvavo kumadhimoni, avaitevera pakupata kwavo. Ichi chichava chimiso nekusingaperi kwavari kumazera avo.
  3244. Lev 17:8 Utiwo kwavari: Upi neupi weimba yaIsraeri, kana yevatorwa vagere pakati pavo sevaeni, anopisira chipo chinopiswa kana chibairo,
  3245. Lev 17:9 asingauyi nacho kumukova wetende rekusangana, kuchipa kuna Jehovha, munhu uyuwo achagurwa kubva pavanhu vekwake.
  3246. Lev 17:10 Munhu upi neupi weimba yaIsraeri kana wevatorwa vagere pakati pavo sevaeni anodya ropa ripi neripi, ndichamisa chiso changu kurwisana nemweya weupenyu uyo unodya ropa, ndigougura pakati pevanhu vekwawo.
  3247. Lev 17:11 Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; uye ini ndakakupai iro paaritari, kuitira mweya yenyu chiyananiso; nokuti iro iropa rinoitira mweya chiyananiso.
  3248. Lev 17:12 Naizvozvo ndakati kuvana vaIsraeri: Kusava nemweya weupenyu kwamuri unodya ropa; uye mutorwa agere pakati penyu semweni haangadyi ropa.
  3249. Lev 17:13 Uye ani nani pavana vaIsraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavo sevaeni, wakabata pakuvhima mhuka kana shiri inodyiwa achadurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva;
  3250. Lev 17:14 nokuti upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndere upenyu hwazvo; naizvozvo ndakati kuvana vaIsraeri: Musadya ropa renyama ipi neipi, nokuti upenyu hwenyama yose iropa rayo; ani nani anoridya achagurwa.
  3251. Lev 17:15 Zvino mweya weupenyu umwe neumwe, pakati pevakaberekerwa pakati penyu, kana pakati pevatorwa, unodya chakafa choga kana chakabvamburwa nezvikara, achasuka nguvo dzake nekuzvishambidza mumvura, ave asina kuchena kusvika madekwani; ipapo achava wakachena.
  3252. Lev 17:16 Asi kana asingadzisuki, kana kushamba nyama yake, achatakura kuipa kwake.
  3253. Lev 18:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3254. Lev 18:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3255. Lev 18:3 Musaita semabasa enyika yeEgipita kwamaiva mugere, uye musaita semabasa enyika yeKenani, kwandinokuisai kwairi; uye musafamba mumirairo yavo.
  3256. Lev 18:4 Muchachengeta mitongo yangu nekuchengeta mirairo yangu, kuti mufambe mazviri. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3257. Lev 18:5 Naizvozvo muchachengeta mitemo yangu, nemitongo yangu; izvo kana munhu akaita achararama mazviri; ndini Jehovha.
  3258. Lev 18:6 Ngakurege kutongoswedera munhu kuna ani nani ari hama yake yepedo kufukura kushama; ndini Jehovha.
  3259. Lev 18:7 Usafukura kushama kwababa vako kana kushama kwamai vako; ndimai vako, usafukura kushama kwavo.
  3260. Lev 18:8 Usafukura kushama kwemukadzi wababa vako; kushama kwababa vako.
  3261. Lev 18:9 Kushama kwehanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, akaberekerwa mumusha kana akaberekerwa kunze, usafukura kushama kwavo.
  3262. Lev 18:10 Kushama kwemwanasikana wemwanakomana wako, kana mwanasikana wemwanasikana wako, usafukura kushama kwavo; nokuti ndivo kushama kwako.
  3263. Lev 18:11 Kushama kwemwanasikana wemukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako, usafukura kushama kwake.
  3264. Lev 18:12 Usafukura kushama kwehanzvadzi yababa vako; ihama yepedo yababa vako.
  3265. Lev 18:13 Usafukura kushama kwemwanasikana wamai vamai vako, nokuti ihama yepedo yamai vako.
  3266. Lev 18:14 Usafukura kushama kwemwanakomana wamai wababa vako; usaswedera kumukadzi wake; mukadzi wemwana wamai vako.
  3267. Lev 18:15 Usafukura kushama kwemuroora wako; mukadzi wemwanakomana wako; usafukura kushama kwake.
  3268. Lev 18:16 Usafukura kushama kwemukadzi wemwana wamai vako; kushama kwemwana wamai wako.
  3269. Lev 18:17 Usafukura kushama kwemukadzi pamwe nemwanasikana wake; usatora mwanasikana wemwanakomana wake kana mwanasikana wemwanasikana wake, kufukura kushama kwake; ihama dzepedo; zvakaipa.
  3270. Lev 18:18 Uye usatora mukadzi pamwe nemunin’ina wake, kumurwadzisa, kufukura kushama kwake pamwe naye paupenyu hwake.
  3271. Lev 18:19 Uye usaswedera kumukadzi kufukura kushama kwake pakusachena kwekuva kwake kumwedzi.
  3272. Lev 18:20 Zvakadaro usapa mbeu yekusangana kwako kumukadzi wewekwako, kuva usina kuchena naye.
  3273. Lev 18:21 Usapa umwe wevana vako kuti agure nemumoto kuna Moreki; uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
  3274. Lev 18:22 Usarara nemurume sezvinorarwa nemukadzi; chinyangadzo.
  3275. Lev 18:23 Uye usarara nemhuka ipi neipi kuti uve usina kuchena nayo; nemukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti achirarire; chikanganisiko.
  3276. Lev 18:24 Usazvisvibisa pane chimwe chezvinhu izvi; nokuti vahedheni vanosvibiswa nezvinhu izvi zvose, vandinodzinga pamberi penyu;
  3277. Lev 18:25 nenyika yava isina kuchena; naizvozvo ndinotsiva kuipa kwayo pairi, nyika igorutsa vagari vayo.
  3278. Lev 18:26 Naizvozvo imwi muchachengeta mitemo yangu nemitongo yangu, uye musingaiti chimwe chezvinyangadzo izvi, umwe wenyika yenyu, kana ari mutorwa agere semweni pakati penyu.
  3279. Lev 18:27 Nokuti zvose zvinyangadzo izvi vanhu venyika iyi vakaita, ivo vaiva mberi kwenyu; nyika ndokuva isina kuchena;
  3280. Lev 18:28 kuti nyika irege kukurutsai, kana maisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai.
  3281. Lev 18:29 Nokuti ani nani anoita chimwe chezvinyangadzo izvi, mweya yeupenyu inozviita ichagurwa kubva pakati pevanhu vekwayo.
  3282. Lev 18:30 Naizvozvo muchachengeta murairo wangu, kuti musaita imwe yetsika dzezvinyangadzo izvi, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3283. Lev 19:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3284. Lev 19:2 Taura kuungano yose yevana vaIsraeri, ugoti kwavari: Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
  3285. Lev 19:3 Ityai umwe neumwe mai vake nababa vake, uye muchengete masabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3286. Lev 19:4 Musatendeukira kuzvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa nekunyungudusa; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3287. Lev 19:5 Zvino kana muchipa chibairo chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha, muchapa kuti mugamuchirike.
  3288. Lev 19:6 Chichadyiwa zuva iroro ramunochipa uye chifume; asi zvinosara kusvika zuva retatu zvichapiswa mumoto.
  3289. Lev 19:7 Zvino kana chikatongodyiwa nezuva retatu, chinyangadzo, hachigamuchirwi.
  3290. Lev 19:8 Naizvozvo anochidya achatakura kuipa kwake, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; zvino mweya weupenyu uyu uchagurwa kubva pavanhu vekwawo.
  3291. Lev 19:9 Zvino kana muchikohwa goho renyika yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yemunda wako, uye usaunganidza zvasara zvegoho rako.
  3292. Lev 19:10 Usafuhurudza munda wako wemizambiringa, kana kuunganidza zvawira pasi zvemunda wako wemizambiringa; uchazvisiira murombo nemweni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3293. Lev 19:11 Musaba, uye musanyengedzera, uye musareverana nhema.
  3294. Lev 19:12 Musapika nhema nezita rangu, kana kusvibisa zita raMwari wako; ndini Jehovha.
  3295. Lev 19:13 Usamanikidza wekwako, kana kupamba. Mubairo wemushandi wakahaiwa usagara kwauri usiku hwose kusvika mangwanani.
  3296. Lev 19:14 Usatuka matsi, uye usaisa chipinganidzo mberi kwebofu; asi uchatya Mwari wako; ndini Jehovha.
  3297. Lev 19:15 Musaita kusarurama pakutonga; usagamuchira chiso chemurombo, kana kukudza chiso chemukuru; uchatonga wekwako nekururama.
  3298. Lev 19:16 Usafamba-famba semucheri pakati pevanhu vekwako; usamirisana neropa rewekwako; ndini Jehovha.
  3299. Lev 19:17 Usavenga umwe wako mumoyo mako; uchatsiura kwazvo wekwako, ugosatakura chivi nekuda kwake.
  3300. Lev 19:18 Usatsiva, kana kugara nedaka nevana vevanhu vekwako, asi uchada wekwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
  3301. Lev 19:19 Chengetai zvimiso zvangu. Usatendera zvipfuwo zvako kurariwa nemarudzi maviri. Usadzvara munda wako nemarudzi maviri embeu; usapfeka nguvo yakarukwa nezvinhu zvemarudzi maviri.
  3302. Lev 19:20 Uye murume, kana achirara nemukadzi nekusangana kwembeu ari murandakadzi, wakatsidzira kuwanikwa nemurume, asi asina kutongodzikunurwa, kana rusununguko rwusina kupiwa kwaari, pachava nekurangwa; havangaurawi, nokuti waiva asina kusununguka.
  3303. Lev 19:21 Zvino achauya nechipo chake chemhosva kuna Jehovha kumukova wetende rekusangana, gondohwe rechipo chemhosva.
  3304. Lev 19:22 Zvino mupristi achamuitira chiyananiso negondohwe rechipo chemhosva pamberi paJehovha nekuda kwechivi chake chaakatadza; zvino chivi chake chaakatadza chichakanganwirwa kwaari.
  3305. Lev 19:23 Zvino pamuchasvika munyika, uye masima miti yose yekudya, ipapo muchatora michero yayo sechinhu chisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri isina kudzingiswa; haingadyiwi.
  3306. Lev 19:24 Asi mugore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, rumbidzo kuna Jehovha.
  3307. Lev 19:25 Zvino mugore rechishanu muchadya muchero wayo kuti ikuberekerei goho rayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3308. Lev 19:26 Musadya chine ropa. Musashopera, uye musaita un’anga.
  3309. Lev 19:27 Musatenderedza nhivi dzemusoro wenyu, uye musashatisa mativi endebvu yenyu.
  3310. Lev 19:28 Musacheka panyama yenyu nekuda kweakafa, uye musaisa nyora dzerupawo pamuri; ndini Jehovha.
  3311. Lev 19:29 Usasvibisa mwanasikana wako uchimuitisa chifeve, zvimwe nyika ingapata, nyika ndokuzara nekuipa.
  3312. Lev 19:30 Chengetai masabata angu, nekutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
  3313. Lev 19:31 Musatendeukira vane masvikiro, kana vanovuka musavatsvaka, kuti musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3314. Lev 19:32 Simukira musoro wakachena, ugokudza chiso chemutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.
  3315. Lev 19:33 Zvino kana mutorwa agere newe semweni panyika yenyu, usamurwadzisa.
  3316. Lev 19:34 Mutorwa agere nemwi semweni achava kwamuri sewakaberekerwa pakati penyu, uye uchamuda sezvaunozvida iwe, nokuti imwi maiva vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3317. Lev 19:35 Musaita kusarurama pamutongo, pakureba, pakuyera kurema, kana pachiyero.
  3318. Lev 19:36 Ivai nezviyero zvakarurama, zvekuenzanisa zvakarurama, efa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyika yeEgipita.
  3319. Lev 19:37 Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose nemitongo yangu yose, kuti muzviite; ndini Jehovha.
  3320. Lev 20:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3321. Lev 20:2 Utizve kuvana vaIsraeri: Ani nani pavana vaIsraeri kana pavatorwa vagere pakati paIsraeri sevaeni anopa vamwe vevana vake kuna Moreki, zvirokwazvo achaurawa; vanhu venyika vachamutaka nemabwe.
  3322. Lev 20:3 Neni ndichaisa chiso changu chichipikisa munhu uyo, uye ndichamugura kubva pakati pevanhu vake, nokuti wakapa vamwe vevana vake kuna Moreki, kuti asvibise imba yangu tsvene, nekumhura zita rangu dzvene.
  3323. Lev 20:4 Zvino kana vanhu venyika vakatongoviga zviso zvavo kumunhu uyo kana achipa vamwe vevana vake kuna Moreki, vakasamuuraya,
  3324. Lev 20:5 ipapo ini ndichamisa chiso changu ndakapikisana nemunhu uyo nekupikisana nemhuri yake, ndigomugura nevose vanofeva shure kwake kuti vaite ufeve vachitevera Moreki, kubva pakati pevanhu vekwavo.
  3325. Lev 20:6 Zvino mweya weupenyu unotendeukira kune vane masvikiro nekuvavuki kuvatevera kuita upombwe, ndichamisa chiso changu chichipikisana nemweya uyo, uye ndichamugura kubva pavanhu vekwawo.
  3326. Lev 20:7 Naizvozvo zviitei vatsvene, mugova vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3327. Lev 20:8 Zvino muchachengeta zvimiso zvangu, nekuzviita; ndini Jehovha anokuitai vatsvene.
  3328. Lev 20:9 Nokuti umwe neumwe anotuka baba vake kana mai vake achaurawa zvirokwazvo; anotuka baba vake kana mai vake; ropa rake riri pamusoro pake.
  3329. Lev 20:10 Zvino munhu anoita upombwe nemukadzi wemunhu, nokuti anoita upombwe nemukadzi wewekwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vachaurawa.
  3330. Lev 20:11 Nemunhu anorara nemukadzi wababa vake, wafukura kushama kwababa vake; vose vari vaviri vachaurawa zvirokwazvo; ropa ravo richava pamusoro pavo.
  3331. Lev 20:12 Zvino murume, kana akarara nemukadzi wemwanakomana wake, vose vari vaviri vachaurawa zvirokwazvo; vakaita zvinonyangadza; ropa ravo richava pamusoro pavo.
  3332. Lev 20:13 Zvino murume akarara nemunhurume sekurara nemukadzi, vose vari vaviri vaita chinyangadzo; vachaurawa zvirokwazvo; ropa ravo richava pamusoro pavo.
  3333. Lev 20:14 Zvino munhu, kana akatora mukadzi pamwe namai vake, chinhu chakaipa; vachapiswa nemoto, iye naivo; kuti kurege kuva nechakaipa pakati penyu.
  3334. Lev 20:15 Zvino munhu, kana akarara nemhuka, achaurawa zvirokwazvo; uye muchauraya chipfuwo.
  3335. Lev 20:16 Zvino mukadzi, kana akaswedera kumhuka ipi neipi kuirarira, uchauraya mukadzi nemhuka; zvichaurawa zvirokwazvo; ropa razvo richava pamusoro pazvo.
  3336. Lev 20:17 Zvino munhu, kana akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, ndokuona kushama kwake, iyewo akaona kushama kwake, chinyadzo; vachagurwa pameso evana vevanhu vekwavo; wafukura kushama kwehanzvadzi yake; achatakura mhosva yake.
  3337. Lev 20:18 Zvino murume, kana akarara nemukadzi murwere, akafukura kushama kwake, waona chitubu chake, naiye wafukura chitubu cheropa rake; zvino vaviri vavo vachagurwa kubva pakati pevanhu vekwavo.
  3338. Lev 20:19 Usafukura kushama kwemwanasikana wamai vamai vako, kana mwanasikana wamai vababa vako; nokuti wafukura hama yako yepedo; vachatakura kuipa kwavo.
  3339. Lev 20:20 Zvino murume, kana akarara nemukadzi wababamunini vake, wafukura kushama kwababamunini vake; vachatakura chivi chavo; vachafa vasina vana.
  3340. Lev 20:21 Zvino murume, kana akatora mukadzi wemwana wamai vake, chinhu chisina kuchena; wafukura kushama kwemwana wamai vake; vachava vasina vana.
  3341. Lev 20:22 Naizvozvo chengetai zvimiso zvangu zvose, nemitongo yangu yose, nekuzviita, kuti nyika kwandinokuisai kugara mairi irege kukurutsai.
  3342. Lev 20:23 Zvino musafamba netsika dzerudzi rwandichadzinga pamberi penyu; nokuti vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.
  3343. Lev 20:24 Asi ndati kwamuri: Imwi muchagara nhaka yenyika yavo, ini ndigoipa kwamuri kuigara nhaka, nyika inoyerera mukaka neuchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai kubva pandudzi.
  3344. Lev 20:25 Naizvozvo isai mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena, uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena; kuti murege kuita mweya yeupenyu yenyu inonyangadza nemhuka kana neshiri kana nechipi nechipi chinokambaira pavhu chandakatsaura kwamuri sechisina kuchena.
  3345. Lev 20:26 Zvino muchava vatsvene kwandiri, nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, uye ndakakutsaurai kubva pandudzi, kuti muve vangu.
  3346. Lev 20:27 Uye murume kana mukadzi, kana vane svikiro mavari, kana muvuki, vachaurawa zvirokwazvo; vachavataka nemabwe; ropa ravo richava pamusoro pavo.
  3347. Lev 21:1 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Taura kuvapristi, vanakomana vaAroni, ugoti kwavari: Kusava neanosvibiswa newakafa pakati pevanhu vekwake,
  3348. Lev 21:2 asi nehama yake iri pedo naye, namai vake, uye nababa vake, uye nemwanakomana wake, uye nemwanasikana wake, uye nemwana wamai vake,
  3349. Lev 21:3 uye nehanzvadzi yake iri mhandara, iri pedo naye, asina kuva wemurume, kwaari agozvisvibisa iye.
  3350. Lev 21:4 Haangazvisvibisi, mukuru pakati pevanhu vekwake, kuti azvishatise.
  3351. Lev 21:5 Havangaiti pamusoro wavo maparavara, kana kuveura rutivi rwendebvu dzavo, kana kucheka panyama yavo.
  3352. Lev 21:6 Vachava vatsvene kuna Mwari wavo, vagorega kumhura zita raMwari wavo; nokuti vanopa zvipo zvaJehovha zvemoto, zvekudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
  3353. Lev 21:7 Havangatori mukadzi chifeve, kana wakasviba; uye havangatori wakarashwa kubva kumurume wake; nokuti mutsvene kuna Mwari wake.
  3354. Lev 21:8 Naizvozvo uchamuita mutsvene, nokuti anopa zvekudya zvaMwari wako; achava mutsvene kwauri, nokuti ini Jehovha ndinokuitai vatsvene, ndiri mutsvene.
  3355. Lev 21:9 Nemwanasikana wemupristi upi neupi, kana akazvisvibisa nekupata, anoshatisa baba vake; achapiswa nemoto.
  3356. Lev 21:10 Mupristi ari mukuru pakati pehama dzake, pamusoro wake pakadirwa mafuta ekuzodza, wakatsaurwa kuti afuke nguvo, ngaarege kufukura musoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
  3357. Lev 21:11 Zvino haangaswederi kuchitunha chipi nechipi, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana kuna mai vake.
  3358. Lev 21:12 Uye haangabudi panzvimbo tsvene, uye haangashatisi imba tsvene yaMwari wake, nokuti korona yemafuta ekuzodza yaMwari wake iri pamusoro pake; ndini Jehovha.
  3359. Lev 21:13 Zvino iye achazvitorera mukadzi ari paumhandara hwake.
  3360. Lev 21:14 Chirikadzi, kana wakarashwa, kana chifeve chakasvibiswa, asatora ava; asi achatora mhandara pavanhu vekwake kuva mukadzi.
  3361. Lev 21:15 Uye asasvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake; nokuti ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.
  3362. Lev 21:16 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3363. Lev 21:17 Taura kuna Aroni uchiti: Ani nani pavana vako pamazera avo paari pane chipomerwa ngaarege kuswedera kupa zvekudya zvaMwari wake.
  3364. Lev 21:18 Nokuti munhu upi neupi paari pane chipomerwa haangaswederi: Bofu, kana chirema, kana wakaremara pachiso, kana ane mutezo wakarebesa,
  3365. Lev 21:19 kana munhu paari pane tsoka yakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
  3366. Lev 21:20 kana wakakombama musana, kana wakawonda, kana ane chivara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara manhu ake.
  3367. Lev 21:21 Hakuna munhu pavana vaAroni mupristi, mune chipomerwa maari, achaswedera kupa zvipo zvemoto zvaJehovha; maari mune chipomerwa; haangaswederi kupa zvekudya zvaMwari wake.
  3368. Lev 21:22 Angadya zvekudya zvaMwari wake, pazvitsvene-tsvene nezvinhu zvitsvene,
  3369. Lev 21:23 asi haafaniri kupinda muvheiri kana kuswedera kuaritari, nokuti chipomerwa chiri maari; kuti arege kusvibisa dzimba dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.
  3370. Lev 21:24 Mozisi ndokutaura kuna Aroni nekuvanakomana vake nekuvana vaIsraeri vose.
  3371. Lev 22:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3372. Lev 22:2 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvevana vaIsraeri, uye vasasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvitsvene kwandiri. Ndini Jehovha.
  3373. Lev 22:3 Uti kwavari: Ani nani kuvana venyu vose kumazera enyu, unopa kuzvinhu zvitsvene, vana vaIsraeri zvavanoita zvitsvene kuna Jehovha, kusachena kwake kuri paari, mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pachiso changu; ndini Jehovha.
  3374. Lev 22:4 Ani nani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana kuyerera haangadyi pazvinhu zvitsvene, kusvika achena, uye anogunzva chinhu chipi nechipi chakasvibiswa newakafa, kana munhu paari panobuda urume hwekusangana.
  3375. Lev 22:5 Kana ani nani anogunzva chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu angamusvibisa, maererano nekusachena kwake kose.
  3376. Lev 22:6 Mweya weupenyu unogunzva izvo uchava usina kuchena kusvika madekwani, uye haungadyi pazvinhu zvitsvene, kunze kwekuti asuka nyama yake nemvura.
  3377. Lev 22:7 Kana zuva ravira uchava wakachena; uye pashure uchadya pazvinhu zvitsvene; nokuti ndezvekudya zvake.
  3378. Lev 22:8 Chakafa choga kana chakabvamburwa haangachidyi kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.
  3379. Lev 22:9 Naizvozvo vachachengeta murairo wangu kuti vasatakura chivi nekuda kwawo, vagofa nacho, kana vausvibisa; ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.
  3380. Lev 22:10 Zvino kusava nemweni anodya chinhu chitsvene; agere nemupristi kana mushandi wakahaiwa haangadyi chinhu chitsvene.
  3381. Lev 22:11 Asi mupristi, kana akatenga mweya weupenyu ari mutengo wemari yake, iye angazvidya; uye anoberekerwa mumba make, ivo vachadya zvekudya zvake.
  3382. Lev 22:12 Uye mwanasikana wemupristi, kana akava wemweni, iye haangadyi pachipo chezvinhu zvitsvene.
  3383. Lev 22:13 Asi mwanasikana wemupristi, kana ari chirikadzi, kana warambiwa, uye asina mwana, akadzokera kumba kwababa vake, sepaudiki hwake, achadya zvekudya zvababa vake; asi hakungavi nemweni anodya pazviri.
  3384. Lev 22:14 Zvino munhu, kana achidya chinhu chitsvene nekusaziva, achawedzera cheshanu chacho pachiri, agopa kumupristi chinhu chitsvene.
  3385. Lev 22:15 Zvino havangasvibisi zvinhu zvitsvene zvevana vaIsraeri zvavanopa kuna Jehovha;
  3386. Lev 22:16 vavaite vatakure kuipa kwemhosva, pavanodya zvinhu zvavo zvitsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.
  3387. Lev 22:17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3388. Lev 22:18 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake nekuvana vaIsraeri vose ugoti kwavari: Ani nani weimba yaIsraeri kana wevatorwa pakati paIsraeri achapa chipo chake maererano nemhiko dzavo dzose nemaererano nezvose zvipo zvavo zvekuzvidira zvavanopa kuna Jehovha kuva chipo chinopiswa;
  3389. Lev 22:19 kuti mugamuchirike, mukono usina chaungapomerwa, wemombe, wemakwai, kana wembudzi.
  3390. Lev 22:20 Musapa chero chipi pachiri pane chipomerwa, nokuti hachingagamuchiriki kwamuri.
  3391. Lev 22:21 Zvino ani nani, kana anopa chibairo chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha kuzadzisa mhiko, kana chipo chekuzvidira, pamombe kana pamakwai, chinofanira kuva chakakwana kuti chigamuchirwe; hapangavi nechipomerwa chipi nechipi pazviri.
  3392. Lev 22:22 Bofu kana chakavhunika kana chakaremara kana chine ronda rinoyerera ropa kana chine chisasa kana chine mhizi, hamungapi izvi kuna Jehovha, uye musapa pane izvi chipo chemoto kuna Jehovha paaritari.
  3393. Lev 22:23 Asi nzombe diki kana gwayana zvine chakarebesa kana chakapfupika pamitezo mungapa kuva chipo chekuzvidira, asi pamhiko hazvingagamuchiriki.
  3394. Lev 22:24 Uye musapa kuna Jehovha chine manhu akakuvara, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana akachekwa; uye musazviita panyika yenyu.
  3395. Lev 22:25 Nezvinobva muruoko rwemutorwa musapa zvekudya zvaMwari wenyu pane chimwe cheizvi, nokuti kuipa kwazvo kuri mazviri, chipomerwa chiri mazviri, hazvingagamuchiriki kwamuri.
  3396. Lev 22:26 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3397. Lev 22:27 Kana nzombe diki kana gwai kana mbudzi zvichiberekwa, zvino zvichava pasi pamai vazvo mazuva manomwe. Uye kubva pazuva rerusere nekubva ipapo zvichagamuchirwa kuva chipo chechipo chemoto kuna Jehovha.
  3398. Lev 22:28 Uye nzombe kana gwai hamungariurayi pamwe nemwana waro pazuva rimwe.
  3399. Lev 22:29 Uye kana muchibaira kuna Jehovha chibairo chekuvonga, muchabaira kuti mugamuchirike.
  3400. Lev 22:30 Chichadyiwa nemusi iwoyo; hamungasii pachiri kusvika mangwana; ndini Jehovha.
  3401. Lev 22:31 Naizvozvo chengetai mirairo yangu, muiite; ndini Jehovha.
  3402. Lev 22:32 Uye musasvibisa zita rangu dzvene; asi ndichaitwa mutsvene pakati pevana vaIsraeri; ndini Jehovha anokuitai vatsvene,
  3403. Lev 22:33 akakubudisai panyika yeEgipita kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha.
  3404. Lev 23:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3405. Lev 23:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Mitambo yakatarwa yaJehovha yamuchaparidzira ive ungano yakadanwa tsvene; iyi mitambo yangu yakatarwa.
  3406. Lev 23:3 Basa richaitwa mazuva matanhatu; asi pazuva rechinomwe isabata rezororo, iungano yakadanwa tsvene; musatongobata basa; isabata raJehovha mumisha yenyu yose.
  3407. Lev 23:4 Iyi mitambo yakatarwa yaJehovha, ungano dzakadanwa tsvene, dzamuchaparidzira nenguva dzadzo dzakatarwa:
  3408. Lev 23:5 Nemwedzi wekutanga neregumi nemana remwedzi madekwani ipasika yaJehovha.
  3409. Lev 23:6 Uye nezuva regumi nemashanu remwedzi iwoyo mutambo wechingwa chisina kuviriswa kuna Jehovha; mazuva manomwe muchadya chingwa chisina kuviriswa.
  3410. Lev 23:7 Nezuva rekutanga muchava neungano yakadanwa tsvene; musatongobata basa revaranda.
  3411. Lev 23:8 Asi muchapa chipo chemoto kuna Jehovha mazuva manomwe; pazuva rechinomwe iungano yakadanwa tsvene; musatongobata basa revaranda.
  3412. Lev 23:9 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3413. Lev 23:10 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Pamuchapinda munyika yandichakupai uye makohwa goho rayo, zvino uyai nechisote chezvibereko zvekutanga zvegoho renyu kumupristi.
  3414. Lev 23:11 Zvino achazunguzira chisote pamberi paJehovha, kuti chigamuchirwe kwamuri. Mupristi achachizunguzira nezuva rinotevera sabata.
  3415. Lev 23:12 Zvino nezuva ramunozunguzira naro chisote muchapa gwayana risina charingapomerwa regore rimwe chive chipo chinopiswa kuna Jehovha.
  3416. Lev 23:13 Nechipo chacho chechidyiwa chichava chezvegumi zviviri zveupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, chipo chemoto kuna Jehovha, hwema hunonhuhwira; nechipo chacho chechinwiwa chive chewaini, chechina chehini.
  3417. Lev 23:14 Uye hamungadyi chingwa kana zviyo zvakakangwa kana hura itsva kusvika zuva iroro, kusvika mauya nechipo chaMwari wenyu. Chimiso chekusingaperi pamazera enyu pamisha yenyu yose.
  3418. Lev 23:15 Zvino muchazviverengera kubva pazuva rinotevera sabata, kubva pazuva ramakauya naro nechisote chechipo chinozunguzirwa; achava masabata manomwe akakwana.
  3419. Lev 23:16 Kusvika kwava zuva rinotevera sabata rechinomwe muchaverenga mazuva makumi mashanu; mugopa Jehovha chipo chitsva chechidyiwa.
  3420. Lev 23:17 Muchatora kubva mumisha yenyu zvingwa zviviri zvinozunguzirwa zvezvegumi zviviri; zvichava zveupfu hwakatsetseka; zvichabhekewa nembiriso; zvibereko zvitsva kuna Jehovha.
  3421. Lev 23:18 Zvino muchapa pamwe nechingwa makwayana manomwe asina chipomerwa egore rimwe, nenzombe diki mhuru yemombe, nemakondohwe maviri; achava chipo chinopiswa kuna Jehovha, pamwe nechipo chazvo chechidyiwa nezvipo zvazvo zvinodururwa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  3422. Lev 23:19 Uye muchapa mbudzana imwe yembudzi yechipo chezvivi, nemakwayana maviri egore rimwe echibairo chezvipo zvekuyananisa.
  3423. Lev 23:20 Zvino mupristi achazvizunguzira pamwe nechingwa chezvibereko zvitsva, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwe nemakwayana maviri; zvichava zvitsvene kuna Jehovha, zvive zvemupristi.
  3424. Lev 23:21 Zvino muchaparidza nezuva iroro; ichava ungano yakadanwa tsvene kwamuri; musatongobata basa revaranda; chive chimiso nekusingaperi pamisha yenyu yose pamazera enyu.
  3425. Lev 23:22 Zvino kana muchikohwa goho renyika yenyu, pakukohwa kwako rega kupedza mucheto wemunda wako, uye usaunganidza zvinosara zvegoho rako; uzvisiire murombo nemweni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3426. Lev 23:23 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3427. Lev 23:24 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Nemwedzi wechinomwe nerekutanga remwedzi richava kwamuri zororo, chirangaridzo chemutinhiro mukuru wehwamanda, ungano yakadanwa tsvene.
  3428. Lev 23:25 Musatongobata basa revaranda; asi ipai chipo chemoto kuna Jehovha.
  3429. Lev 23:26 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:
  3430. Lev 23:27 Asi neregumi remwedzi uyu wechinomwe richava zuva rechiyananiso; ichava ungano yakadanwa tsvene; mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu, nekupa chipo chemoto kuna Jehovha.
  3431. Lev 23:28 Uye nezuva iroro musatongobata basa, nokuti izuva rechiyananiso, kukuitirai chiyananiso pamberi paJehovha Mwari wenyu.
  3432. Lev 23:29 Nokuti mweya weupenyu upi neupi usingarwadziwi nezuva iroro uchagurwa kubva pavanhu vekwawo.
  3433. Lev 23:30 Nemweya weupenyu upi neupi unobata basa ripi neripi nezuva iroro, ndiwo mweya wandichaparadza kubva pakati pevanhu vekwawo.
  3434. Lev 23:31 Musaita basa ripi neripi. Chimiso nekusingaperi pamazera enyu pamisha yenyu yose.
  3435. Lev 23:32 Richava kwamuri sabata rezororo, uye mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu; nerepfumbamwe remwedzi madekwani, kubva madekwani kusvika madekwani, muchichengetedza sabata renyu.
  3436. Lev 23:33 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:
  3437. Lev 23:34 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Nezuva regumi nemashanu remwedzi uyu wechinomwe kuchava nemutambo wematumba mazuva manomwe kuna Jehovha.
  3438. Lev 23:35 Nezuva rekutanga ichava ungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda.
  3439. Lev 23:36 Mazuva manomwe muchapa chipo chemoto kuna Jehovha; nezuva rerusere muchava neungano yakadanwa tsvene, uye muchapa chipo chemoto kuna Jehovha; iungano yakadzama, musaita chero basa revaranda.
  3440. Lev 23:37 Iyi mitambo yaJehovha, yamuchaparidza kuva ungano yakadanwa tsvene, kupa chipo chemoto kuna Jehovha, chipo chinopiswa, nechipo chechidyiwa, chibairo, nezvipo zvinodururwa, chinhu chezuva muzuva racho;
  3441. Lev 23:38 kunze kwemasabata aJehovha, uye kunze kwezvipo zvenyu, uye kunze kwemhiko dzenyu dzose, uye kunze kwezvipo zvenyu zvose zvekuzvidira, zvamunopa kuna Jehovha.
  3442. Lev 23:39 Asi pazuva regumi nemashanu remwedzi wechinomwe, kana maunganidza goho renyika, muchachengetedza mutambo waJehovha mazuva manomwe; nezuva rekutanga izororo, uye nezuva rerusere izororo.
  3443. Lev 23:40 Zvino nezuva rekutanga muchazvitorera zvibereko zvemiti yakanaka, matavi emiti yemichindwe, nematavi emiti zvine mashizha, nemikonachando yemurukova; mugofara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe.
  3444. Lev 23:41 Zvino muchauchengetedza uri mutambo kuna Jehovha mazuva manomwe pagore; chimiso nekusingaperi kumazera enyu; muchauchengetedza nemwedzi wechinomwe.
  3445. Lev 23:42 Imwi muchagara mumatumba mazuva manomwe; vose vakaberekwa kwaIsraeri vachagara mumatumba;
  3446. Lev 23:43 kuti mazera enyu azive kuti ndakagarisa vana vaIsraeri mumatumba pandakavabudisa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3447. Lev 23:44 Mozisi ndokutaurira vana vaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehovha.
  3448. Lev 24:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3449. Lev 24:2 Raira vana vaIsraeri kuti vaunze kwauri mafuta akakwana emaorivhi akatakirwa kuvhenekera, kuti mwenje ipfute nguva dzose.
  3450. Lev 24:3 Kunze kwevheiri rechipupuriro, mutende rekusangana, Aroni achairongedza kubva madekwani kusvika mangwanani pamberi paJehovha rinhi narinhi; chimiso chekusingaperi pamazera enyu.
  3451. Lev 24:4 Acharongedza mwenje pachigadziko chemwenje chakazara pamberi paJehovha rinhi narinhi.
  3452. Lev 24:5 Zvino uchatora upfu hwakatsetseka, ugobheka makeke gumi nemaviri nahwo; zvegumi zviviri zvichava mukeke rimwe.
  3453. Lev 24:6 Zvino uchazviisa mumitsetse miviri, zvitanhatu mumutsetse patafura yakazara pamberi paJehovha.
  3454. Lev 24:7 Uye uchaisa chipfungaidzo chinonhuhwira chakazara pamutsetse, kuti chive chechirangaridzo chechingwa, chipo chemoto kuna Jehovha.
  3455. Lev 24:8 Pazuva rimwe nerimwe resabata achazvirongedza pamberi paJehovha rinhi narinhi, kubva kuvana vaIsraeri, iri sungano nekusingaperi.
  3456. Lev 24:9 Zvino chichava chaAroni nevanakomana vake; uye vachachidyira panzvimbo tsvene; nokuti chitsvene chezvitsvene kwaari pazvipo zvemoto zvaJehovha, chimiso chekusingaperi.
  3457. Lev 24:10 Zvino wakabuda mwanakomana wemukadzi muIsraeri, waiva mwanakomana wemurume muEgipita pakati pevana vaIsraeri; mwanakomana uyu wemukadzi muIsraeri wakarwa nemurume muIsraeri pamusasa.
  3458. Lev 24:11 Zvino mwanakomana wemukadzi muIsraeri wakanyomba zita raJehovha, ndokutuka; zvino vakamuunza kuna Mozisi. Uye zita ramai vake raiva Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, werudzi rwaDhani.
  3459. Lev 24:12 Zvino vakamuisa muchitokisi, kuti vanyatsoziviswa zvinoenderana nemuromo waJehovha.
  3460. Lev 24:13 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3461. Lev 24:14 Budisirai mutuki kunze kwemusasa; uye vose vakamunzwa vaise maoko avo pamusoro pemusoro wake; ungano yose igomutaka nemabwe.
  3462. Lev 24:15 Zvino uchataura kuvana vaIsraeri uchiti: Ani nani paanotuka Mwari wake achatakura chivi chake.
  3463. Lev 24:16 Neanonyomba zita raJehovha, zvirokwazvo achaurawa; ungano yose ichamutaka-taka nemabwe; mutorwa achava sewakaberekerwa munyika; kana achinyomba zita raJehovha, achaurawa.
  3464. Lev 24:17 Zvino munhu anouraya mweya umwe neumwe wemunhu achaurawa zvirokwazvo.
  3465. Lev 24:18 Neanouraya upenyu hwemhuka, achairipa, upenyu neupenyu.
  3466. Lev 24:19 Zvino munhu, kana akapa urema wekwake, sezvaakaita iye, zvichaitwa saizvozvo kwaari:
  3467. Lev 24:20 Kuvhunika nekuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakapa urema umwe, achapiwa saizvozvo.
  3468. Lev 24:21 Neanouraya chipfuwo, achachiripa; neanouraya munhu, achaurawa.
  3469. Lev 24:22 Muchava nemutemo umwe; mutorwa achava sewakaberekerwa munyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3470. Lev 24:23 Zvino Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri, kuti vabudisire kunze kwemusasa mutuki, ndokumutaka nemabwe. Vana vaIsraeri ndokuita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  3471. Lev 25:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi pagomo reSinai achiti:
  3472. Lev 25:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana masvika munyika yandinokupai, nyika ichazorora, isabata kuna Jehovha.
  3473. Lev 25:3 Makore matanhatu uchadzvara munda wako, uye makore matanhatu uchachekerera munda wako wemizambiringa, nekuunganidza michero yayo.
  3474. Lev 25:4 Asi mugore rechinomwe kuchava nesabata rekuzorora kwenyika, isabata kuna Jehovha; haungadzvari munda wako uye haungachekereri munda wako wemizambiringa.
  3475. Lev 25:5 Haungakohwi magoko egoho rako, uye hamungaunganidzi zvibereko zvemunda wako wemizambiringa usina kuchekererwa; richava gore rekuzorora renyika.
  3476. Lev 25:6 Zvino sabata renyika richava zvekudya zvenyu: Zvako, nezvemuranda wako, nezvemurandakadzi wako, nezvemushandi wakahaiwa wako, nezvemutorwa wako, vagere newe sevaeni;
  3477. Lev 25:7 nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvadzo zvose zvichava zvekudya.
  3478. Lev 25:8 Zvino uchazviverengera masabata manomwe emakore, makore manomwe akapetwa kanomwe; kuti mazuva emasabata manomwe emakore ave kwauri makore makumi mana nemapfumbamwe.
  3479. Lev 25:9 Ipapo uchapfuudza hwamanda yekurira kukuru mumwedzi wechinomwe nereshanu remwedzi; pazuva rechiyananiso muchapfuudza hwamanda panyika yose yekwenyu.
  3480. Lev 25:10 Zvino muchaita dzvene gore regore remakumi mashanu, mugoparidza rusununguko panyika kuvagari vose vayo; richava jubheri kwamuri; uye muchadzokera umwe neumwe kunhaka yake, uye muchadzokera umwe neumwe kurudzi rwake.
  3481. Lev 25:11 Gore regore remakumi mashanu richava jubheri kwamuri; musadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musaunganidza naro zvemunda wemizambiringa usina kuchekererwa.
  3482. Lev 25:12 Nokuti ijubheri; richava dzvene kwamuri; muchadya zvibereko zvaro paminda.
  3483. Lev 25:13 Mugore iri rejubheri muchadzokera umwe neumwe kunhaka yake.
  3484. Lev 25:14 Zvino kana uchitengesa chinhu kune wekwako, kana kutenga muruoko rwewekwako, musamanikidzana.
  3485. Lev 25:15 Zvichienderana neuwandu hwemakore shure kwejubheri uchatenga kune wekwako; zvichienderana neuwandu hwemakore ezvibereko achakutengesera.
  3486. Lev 25:16 Zvichienderana neuzhinji hwemakore achakwidza mutengo wazvo, uye zvichienderana neushoma hwemakore uchadzikisa mutengo wazvo; nokuti anokutengesera uwandu hwegoho.
  3487. Lev 25:17 Naizvozvo musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3488. Lev 25:18 Naizvozvo itai zvimiso zvangu, nekuchengeta mitongo yangu, nekuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.
  3489. Lev 25:19 Zvino nyika ichabereka zvibereko zvayo, mugodya kusvika maguta, mugogaramo makachengeteka.
  3490. Lev 25:20 Zvino kana muchiti: Tichadyei mugore rechinomwe? Tarirai, hatidzvari uye hatiunganidzi zvibereko zvedu;
  3491. Lev 25:21 ipapo ndicharaira ropafadzo yangu pamusoro penyu mugore rechitanhatu, zvino richaita zvibereko zvemakore matatu.
  3492. Lev 25:22 Zvino muchadzvara mugore rerusere, mugodya pazvibereko zvitsaru, kusvika gore repfumbamwe; muchadya zvitsaru kusvika zvibereko zvaro zvichisvika.
  3493. Lev 25:23 Nyika haitengeswi nekusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vatorwa nevagere sevaeni neni.
  3494. Lev 25:24 Zvino panyika yose yenhaka yenyu muchapa rudzikunuro rwenyika.
  3495. Lev 25:25 Kana umwe wako akava murombo, ndokutengesa zvimwe panhaka yake, ipapo mudzikunuri ari pedo kuna iye akauya achadzikinura zvakatengeswa neumwe wake.
  3496. Lev 25:26 Zvino kana munhu asina mudzikunuri, asi ruoko rwake rwuchisvikira, akawana zvinokwana rudzikunuro rwake;
  3497. Lev 25:27 ipapo achaverenga makore ekutengeswa kwazvo, agodzosera muraudzo kumunhu waakaitengesera, adzokere kunhaka yake.
  3498. Lev 25:28 Asi kana ruoko rwake rusina kuwana zvakakwana kudzikinura kwaari, chakatengeswa chake chichava muruoko rwewakachitenga kusvika gore rejubheri; zvino pajubheri chichabuda, iye agodzokera kunhaka yake.
  3499. Lev 25:29 Zvino munhu, kana akatengesa imba yekugara muguta rine rusvingo, ipapo kodzero yerudzikinuro rwayo ichavapo kusvika pakupera kwegore rekutengeswa kwayo; kodzero yekuidzikinura ichavapo gore rose.
  3500. Lev 25:30 Zvino kana isina kudzikinurwa mukati megore rakazara kwairi, ipapo imba iri muguta rine rusvingo ichasimbiswa nekusingaperi kune wakaitenga mumazera ake; haingabudi pajubheri.
  3501. Lev 25:31 Asi dzimba dzemisha dzisina rusvingo kupoteredza dzichaverengwa semunda wenyika; dzichava rudzikinuro kwadziri, uye dzichabuda pajubheri.
  3502. Lev 25:32 Maererano nemaguta evaRevhi, dzimba dzemaguta enhaka yavo, kodzero yerudzikinuro yekusingaperi ichava kuvaRevhi.
  3503. Lev 25:33 Zvino kana kune anodzikinura kuvaRevhi, ipapo imba yakatengeswa neguta renhaka yake zvichabuda pajubheri; nokuti dzimba dzemaguta evaRevhi inhaka yavo pakati pevana vaIsraeri.
  3504. Lev 25:34 Asi munda wekumacheto kwemaguta avo haungatengeswi, nokuti inhaka yavo nekusingaperi.
  3505. Lev 25:35 Zvino kana umwe wako akava murombo, neruoko rwake runodedera anewe, ipapo uchamutsigira, mutorwa kana mweni, kuti ararame pamwe newe.
  3506. Lev 25:36 Usatora mubereko kana zvibereko kwaari, asi itya Mwari wako, kuti umwe wako ararame newe.
  3507. Lev 25:37 Usamupa mari yako pamubereko, uye usapa kudya kwako pazvibereko.
  3508. Lev 25:38 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita, kuti ndikupei nyika yeKenani, ndive Mwari wenyu.
  3509. Lev 25:39 Zvino kana umwe wako anewe akava murombo ndokuzvitengesa kwauri, usamushandisa basa renhapwa;
  3510. Lev 25:40 achava kwauri mushandi wakahaiwa, semweni; agoshanda newe kusvika gore rejubheri.
  3511. Lev 25:41 Ipapo achabuda kwauri, iye nevana vake vanaye, agodzokera kurudzi rwake; nekunhaka yemadzibaba ake achadzokera.
  3512. Lev 25:42 Nokuti varanda vangu vandakabudisa munyika yeEgipita; havangatengeswi nekutengeswa kwenhapwa.
  3513. Lev 25:43 Usamutonga nehasha, asi utye Mwari wako.
  3514. Lev 25:44 Zvose nhapwa yako yechirume nenhapwa yako yechikadzi vauchava navo vachava vevechirudzi vanokupoteredzai; kwavari muchatenga nhapwa yechirume nenhapwa yechikadzi.
  3515. Lev 25:45 Uyewo pavana vevatorwa vagere sevaeni pakati penyu, muchatenga kwavari, nepamhuri dzavo dzinemwi dzavakabereka panyika yenyu; uye vachava nhaka yenyu.
  3516. Lev 25:46 Zvino muchavatora senhaka yevana venyu vanokuteverai, kuti vagare nhaka; muchavashandisa nekusingaperi; asi pakati pevamwe venyu, vana vaIsraeri, umwe neumwe pamusoro peumwe wake, hamungatongi pamusoro pake nehasha.
  3517. Lev 25:47 Zvino kana ruoko rwemweni kana mutorwa agere newe rwukasvikira pafuma, asi umwe wako anaye akava murombo ndokuzvitengesa kumweni agere newe, kana kunhengo yekurudzi rwemutorwa uyo,
  3518. Lev 25:48 shure kwekuzvitengesa kungava nerudzikinuro rwake; umwe wemadzikoma ake angamudzikinura;
  3519. Lev 25:49 kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, angamudzikinura, kana hama yake yepedo yenyama kubva kurudzi rwake angamudzikinura; kana ruoko rwake rwukazosvikira, angazvidzikinura.
  3520. Lev 25:50 Zvino achaverengerana newakamutenga kubva gore raakazvitengesa kwaari naro kusvika gore rejubheri, kuti mari yekutengeswa kwake ive seuwandu hwemakore; semazuva emushandi wakahaiwa, zvichadaro kwaari.
  3521. Lev 25:51 Kana pachine makore mazhinji, zvichienderana nawo achadzorera mutengo werudzikinuro rwake kubva pamari yaakatengwa nayo.
  3522. Lev 25:52 Zvino kana kwasara makore mashoma kusvika kugore rejubheri, zvino achaverengerana naye; zvichienderana nemakore ake achadzosa mutengo werudzikinuro rwake.
  3523. Lev 25:53 Achava naye semushandi wakahaiwa gore negore; haangamutongi nehasha pamberi pemeso ako.
  3524. Lev 25:54 Zvino kana asina kudzikinurwa neizvi, ipapo achabuda negore rejubheri, iye nevana vake pamwe naye.
  3525. Lev 25:55 Nokuti kwandiri vana vaIsraeri varanda; varanda vangu vandakabudisa kubva munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3526. Lev 26:1 Musazviitira zvifananidzo, uye musazvimisira mufananidzo wakavezwa kana shongwe iri mufananidzo; musaisa panyika yekwenyu ibwe rine mufananidzo kurifugamira; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
  3527. Lev 26:2 Muchachengetedza masabata angu, nekukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
  3528. Lev 26:3 Kana muchifamba nezvimiso zvangu, nekuchengeta mirairo yangu, nekuiita,
  3529. Lev 26:4 ipapo ndichapa mvura yenyu panguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka michero yayo.
  3530. Lev 26:5 Nenguva yekupura kwenyu ichasvikira panguva yekukohwa mazambiringa, nenguva yekukohwa mazambiringa ichasvikira panguva yekudzvara; zvino muchadya zvekudya zvenyu mukaguta, nekugara munyika yenyu makachengeteka.
  3531. Lev 26:6 Zvino ndichapa rugare panyika, mugorara pasi pagosava neanovhundusa; uye ndichabvisa zvikara zvakaipa panyika, nemunondo haungapfuuri nemunyika yekwenyu.
  3532. Lev 26:7 Uye muchadzingirira vavengi venyu, vagowa pamberi penyu nemunondo.
  3533. Lev 26:8 Zvino vashanu venyu vachadzingirira zana, nezana renyu richadzingirira zvuru gumi, uye vavengi venyu vachawa nemunondo pamberi penyu.
  3534. Lev 26:9 Zvino ndichatendeukira kwamuri, nekukuberekesai, nekukuwanzai, nekusimbisa sungano yangu nemwi.
  3535. Lev 26:10 Muchadya zvasharuka zvakachengetwa, mugobudisa zvasharuka nekuda kwezvitsva.
  3536. Lev 26:11 Zvino ndichamisa tabhenakeri yangu pakati penyu; nemweya weupenyu wangu haungakusemii.
  3537. Lev 26:12 Uye ndichafamba pakati penyu, ndigova Mwari wenyu, nemwi muchava vanhu vangu.
  3538. Lev 26:13 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai kubva munyika yeEgipita, kuti musava vatapwa vavo; uye ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndokukufambisai makarurama.
  3539. Lev 26:14 Asi kana musinganditeereri, musingaiti mirairo iyi yose,
  3540. Lev 26:15 uye kana muchizvidza zvimiso zvangu, uye kana mweya weupenyu wenyu uchisema mitongo yangu, kuti musaita mirairo yangu yose, kugura sungano yangu,
  3541. Lev 26:16 iniwo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauisawo kutyisa pamusoro penyu, kuperezeka, nekupisa muviri, zvinopedza meso nekutsvaira mweya. Zvino muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachaidya.
  3542. Lev 26:17 Zvino ndichamisa chiso changu ndichipokana nemwi; uye mucharohwa pamberi pevavengi venyu; uye vanokuvengai vachakutongai; uye muchatiza pasina anokudzingirirai.
  3543. Lev 26:18 Asi kana pane izvi musinganditeereri, ipapo ndichakurangai kakapetwa kanomwe nekuda kwezvivi zvenyu.
  3544. Lev 26:19 Ipapo ndichagura kuzvikudza kwesimba renyu, ndigoita denga renyu seutare, nenyika yenyu sendarira.
  3545. Lev 26:20 Nesimba renyu richaperera pasina, nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki michero yayo.
  3546. Lev 26:21 Zvino kana muchifamba zvinopesana neni, musingadi kunditeerera, ndichawedzera matambudziko manomwe pamusoro penyu zvichienderana nezvivi zvenyu.
  3547. Lev 26:22 Ndichatumawo zvikara zvesango pakati penyu, zvichakutorerai vana venyu, nekuparadza zvipfuwo zvenyu, nekukuitai vashoma; nenzira dzenyu dzichava renje.
  3548. Lev 26:23 Zvino kana musingadzorwi neni nezvinhu izvi, asi muchifamba zvinopesana neni,
  3549. Lev 26:24 neniwo ndichafamba zvinopesana nemwi, iniwo ndigokurangaizve kanomwe nekuda kwezvivi zvenyu.
  3550. Lev 26:25 Zvino ndichauisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva kutsiva kwesungano; kana maungana mumaguta enyu, ndichatuma denda pakati penyu; uye muchakumikidzwa muruoko rwemuvengi.
  3551. Lev 26:26 Pandinokuvhunirai mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi gumi vachabheka chingwa chenyu muhovhoni imwe, uye vachidzosera chingwa chenyu neuremu; uye muchadya, asi hamungaguti.
  3552. Lev 26:27 Zvino kana musinganditeereri pane izvi, asi muchifamba zvinopesana neni,
  3553. Lev 26:28 ipapo neni ndichafamba zvinopesana nemwi mukutsamwa, ndichakurangai kanomwe nekuda kwezvivi zvenyu.
  3554. Lev 26:29 Zvino muchadya nyama yevanakomana venyu, nenyama yevanasikana venyu muchadya.
  3555. Lev 26:30 Zvino ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nekugura aritari dzenyu dzezuva, nekukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; uye mweya weupenyu wangu uchakusemai.
  3556. Lev 26:31 Zvino ndichaita maguta enyu dongo, nekuparadza dzimba dzenyu tsvene, uye handinganhuhwidzi munhuhwi wenyu unotapira.
  3557. Lev 26:32 Uye ini ndichaparadza nyika; nevavengi venyu vanogaramo vachashamiswa kwazvo nayo.
  3558. Lev 26:33 Zvino ndichakuparadzirai pakati pevahedheni, nekuvhomora munondo shure kwenyu; uye nyika yenyu ichava renje, nemaguta enyu ave dongo.
  3559. Lev 26:34 Ipapo nyika ichafarira masabata ayo mazuva ose ekuva kwayo renje, nemwi muri munyika yevavengi venyu; ipapo nyika ichazorora, ichifarira masabata ayo.
  3560. Lev 26:35 Mazuva ose ekuva kwayo renje ichazorora, nokuti haina kuzorora pamasabata enyu, pamakagara pairi.
  3561. Lev 26:36 Maererano nevakasara pakati penyu, ndichapinza umbwende pamoyo yavo munyika dzevavengi vavo; nekurira kweshizha rinosundwa kuchavadzingirira, uye vachatiza sevanotiza munondo, vagowa pasina anodzingirira.
  3562. Lev 26:37 Zvino vachagumburana sevari mberi kwemunondo, pasina anodzingirira; uye hamungavi nesimba rekumira pamberi pevavengi venyu.
  3563. Lev 26:38 Zvino muchaparara pakati pevahedheni, nenyika yevavengi venyu ichakudyai.
  3564. Lev 26:39 Zvino vanosara pakati penyu vachaonda mukuipa kwavo munyika dzevavengi vavo; uyewo mukuipa kwemadzibaba avo vachaonda pamwe navo.
  3565. Lev 26:40 Kana vachireurura kuipa kwavo nekuipa kwemadzibaba avo, nekudarika kwavo kwavakadarika nako kwandiri, uye kutiwo vakafamba zvinopesana neni,
  3566. Lev 26:41 neniwo ndakafamba zvinopesana navo, ndikavauisa kunyika yevavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, zvino ipapo vakagamuchira murango wekuipa kwavo;
  3567. Lev 26:42 ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakove, uye nesungano yangu naIsaka, uye nesungano yangu naAbhurahama, ndichairangarira; nenyika ndichairangarira.
  3568. Lev 26:43 Nyikawo ichasiiwa navo, ichafarira masabata ayo, ichaparadzwa vasipo; ivo vachagamuchira murango wekuipa kwavo; nokuti, hongu nokuti vakazvidza mitongo yangu, uye mweya weupenyu wavo wakasema zvimiso zvangu.
  3569. Lev 26:44 Asiwo izvi zvakadaro, kana vari munyika yevavengi vavo, handingavarasiri kure, kana kuvasema, kuvapedza, kuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo.
  3570. Lev 26:45 Asi ndichavarangaririra sungano yemadziteteguru avo, vandakabudisa kubva munyika yeEgipita pamberi pemeso evahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.
  3571. Lev 26:46 Izvi zvimiso nemitongo nemitemo Jehovha yaakapa pakati pake nevana vaIsraeri pagomo reSinai neruoko rwaMozisi.
  3572. Lev 27:1 Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3573. Lev 27:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana munhu akaita mhiko yakasanangurwa, nemaonero ako mweya ichava yaJehovha.
  3574. Lev 27:3 Kana maonero ako ari emunhurume kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri kusvika pamwanakomana wemakore makumi matanhatu, ipapo maonero ako achava mashekeri makumi mashanu esirivha, zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene.
  3575. Lev 27:4 Zvino kana ari munhukadzi, ipapo maonero ako achava mashekeri makumi matatu.
  3576. Lev 27:5 Zvino kana achibva pamwanakomana wemakore mashanu kusvika pamwanakomana wemakore makumi maviri, ipapo maonero ako pamunhurume ngaave mashekeri makumi maviri, nepamunhukadzi mashekeri gumi.
  3577. Lev 27:6 Zvino kana umwe achibva pamwanakomana wemwedzi kusvika pamwanakomana wemakore mashanu, ipapo maonero ako pamunhurume achava mashekeri mashanu esirivha, uye pamunhukadzi maonero ako achava mashekeri matatu esirivha.
  3578. Lev 27:7 Zvino kana umwe kubva pamwanakomana wemakore makumi matanhatu zvichikwira, kana ari munhurume, ipapo maonero ako achava mashekeri gumi nemashanu, kana ari munhukadzi achava mashekeri gumi.
  3579. Lev 27:8 Asi kana ari murombo kupfuura maonero ako, ipapo achazviisa pamberi pemupristi, zvino mupristi achamutarira mutengo; zvichienderana nepanosvika ruoko rwaiye wakapika, mupristi achamutarira mutengo.
  3580. Lev 27:9 Zvino kana chiri chipfuwo chavanopa zvacho chive chipo kuna Jehovha, zvose zvacho zvavanopa kuna Jehovha zvichava zvitsvene.
  3581. Lev 27:10 Haangachishanduri kana kuchitsinhanisa chakanaka nechakaipa, kana chakaipa nechakanaka; uye kana angatongotsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, ipapo icho nechakatsinhiwa nacho zvichava zvitsvene.
  3582. Lev 27:11 Zvino kana chiri chipfuwo chipi chisina kuchena, chavasingapi zvacho kuva chipo kuna Jehovha, ipapo achakumikidza chipfuwo pamberi pemupristi.
  3583. Lev 27:12 Zvino mupristi achachitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvaunochitarira, mupristi, ichava saizvozvo.
  3584. Lev 27:13 Asi kana achitongochidzikinura, ipapo achawedzera cheshanu chacho pamaonero ako.
  3585. Lev 27:14 Zvino kana munhu achiita imba yake tsvene, ive tsvene kuna Jehovha, ipapo mupristi achaitarira mutengo, kana yakanaka kana yakaipa; mupristi sezvaachaitarira mutengo, zvichamira saizvozvo.
  3586. Lev 27:15 Zvino kana wakaiita tsvene achadzikinura imba yake, ipapo achawedzera cheshanu chemari yemaonero ako kwairi, ipapo ichava yake.
  3587. Lev 27:16 Zvino kana munhu akaitira Jehovha ndima yemunda wenhaka yake tsvene, ipapo maonero ako achaenderana nembeu yayo; homeri yembeu yebhari iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
  3588. Lev 27:17 Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, ichamira semaonero ako.
  3589. Lev 27:18 Asi kana achiita munda wake mutsvene shure kwejubheri, ipapo mupristi achamuverengera mari zvichienderana nemakore asara kusvika kugore rejubheri; zvino ichatapudzwa kubva pamaonero ako.
  3590. Lev 27:19 Zvino kana anoita munda mutsvene achidzikinura kwazvo, ipapo achawedzera cheshanu chemari yemaonero ako pairi, igosimbiswa kwaari.
  3591. Lev 27:20 Asi kana asingadzikunuri munda, kana zvimwe atengesa munda kune umwe munhu, haungazodzikunurwizve.
  3592. Lev 27:21 Asi munda pakubuda kwawo pajubheri, uchava mutsvene kuna Jehovha, semunda wakasanangurwa; nhaka yawo ichava yemupristi.
  3593. Lev 27:22 Zvino kana achiita munda mutsvene kuna Jehovha, waakatenga, usiri wemunda wenhaka yake,
  3594. Lev 27:23 ipapo mupristi achamuverengera mutengo wemaonero ako kusvika pagore rejubheri; zvino achapa maonero ako pazuva iro, chinhu chitsvene kuna Jehovha.
  3595. Lev 27:24 Mugore rejubheri munda uchadzokera kune waakatenga kwaari, kune uyo nhaka yemunda yaiva yake.
  3596. Lev 27:25 Zvino maonero ako ose achaenderana neshekeri repanzvimbo tsvene; magera makumi maviri achava shekeri.
  3597. Lev 27:26 Asi dangwe, rinotanga kuberekwa kuna Jehovha remhuka, hakuna angariita dzvene; kana nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
  3598. Lev 27:27 Zvino kana riri remhuka isina kuchena, ipapo uchadzikinura semaonero ako, ugowedzera cheshanu chacho kwairi; asi kana isingadzikunurwi, ipapo ichatengeswa semaonero ako.
  3599. Lev 27:28 Asi hakuna chinhu chakasanangurwa munhu chaakasanangurira Jehovha pazvose zvaanazvo, pavanhu kana mhuka, nepamunda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakasanangurwa chitsvene chezvitsvene kuna Jehovha.
  3600. Lev 27:29 Hakuna chakasanangurwa chichasanangurwa pavanhu chichadzikunurwa; chichaurawa zvirokwazvo.
  3601. Lev 27:30 Uye zvegumi zvose zvenyika, zvembeu yenyika, kana muchero wemuti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
  3602. Lev 27:31 Zvino kana munhu achidzikinura kwazvo pazvegumi zvake, achawedzera kwachiri cheshanu chacho.
  3603. Lev 27:32 Maererano nezvegumi zvose zvemombe nezvezvipfuwo zvidiki, zvose zvinopfuura nepazasi petsvimbo, chegumi chichava chitsvene kuna Jehovha.
  3604. Lev 27:33 Haangacherekedzi kana chakanaka kana chakaipa, uye haangachitsinhanisi; zvino kana akatongochitsinhanisa, ipapo icho nechakatsinhiwa nacho zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi.
  3605. Lev 27:34 Iyi mirairo Jehovha yaakaraira Mozisi kuvana vaIsraeri pagomo reSinai
  3606. Num 1:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai, mutende rekusangana, nerekutanga remwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwekubuda kwavo kubva munyika yeEgipita, achiti:
  3607. Num 1:2 Torai uwandu hweungano yose yevana vaIsraeri zvichienderana nemhuri dzavo, zvichienderana neimba yemadzibaba avo, neuwandu hwemazita, murume umwe neumwe, nemisoro yavo.
  3608. Num 1:3 Kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vanogona kubudira kuhondo kwaIsraeri, muchavaverenga nemauto avo, iwe naAroni.
  3609. Num 1:4 Pachava nemwi murume werudzi rumwe nerumwe, musoro umwe neumwe weimba yemadzibaba ake.
  3610. Num 1:5 Zvino awa mazita evarume vachamira nemwi: WekwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.
  3611. Num 1:6 WekwaSimioni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
  3612. Num 1:7 WekwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhi.
  3613. Num 1:8 WekwaIsasikari, Netaneri, mwanakomana waZuwari.
  3614. Num 1:9 WekwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.
  3615. Num 1:10 Vekuvana vaJosefa: WekwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wekwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
  3616. Num 1:11 WekwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidhioni.
  3617. Num 1:12 WekwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
  3618. Num 1:13 WekwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.
  3619. Num 1:14 WekwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.
  3620. Num 1:15 WekwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani.
  3621. Num 1:16 Ndivo vakadanwa veungano, ari machinda emarudzi emadzibaba avo; yaiva misoro yezvuru kwaIsraeri.
  3622. Num 1:17 Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava vadomewa nemazita.
  3623. Num 1:18 Zvino vakaunganidza ungano yose nerekutanga remwedzi wechipiri, ndokurondedzera marudzi avo pamhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, nemisoro yavo.
  3624. Num 1:19 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, saizvozvo wakavaverenga murenje reSinai.
  3625. Num 1:20 Zvino vana vaRubheni dangwe raIsraeri, nemazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, nemisoro yavo, murume umwe neumwe kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3626. Num 1:21 vakaverengwa vavo, verudzi rwaRubheni, zvuru makumi mana nezvitanhatu nemazana mashanu.
  3627. Num 1:22 Vekuvana vaSimioni, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, vakaverengwa vavo zvichienderana neuwandu hwemazita, nemisoro yavo, murume umwe neumwe kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3628. Num 1:23 vakaverengwa vavo verudzi rwaSimioni, zvuru makumi mashanu nezvipfumbamwe nemazana matatu.
  3629. Num 1:24 Vekuvana vaGadhi, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3630. Num 1:25 vakaverengwa vavo verudzi rwaGadhi, zvuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu.
  3631. Num 1:26 Vekuvana vaJudha, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3632. Num 1:27 vakaverengwa vavo verudzi rwaJudha, zvuru makumi manomwe nezvina nemazana matanhatu.
  3633. Num 1:28 Vekuvana vaIsasikari, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3634. Num 1:29 vakaverengwa vavo verudzi rwaIsasikari, zvuru makumi mashanu nezvina nemazana mana.
  3635. Num 1:30 Vekuvana vaZebhuruni, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3636. Num 1:31 vakaverengwa vavo verudzi rwaZebhuruni, zvuru makumi mashanu nezvinomwe nemazana mana.
  3637. Num 1:32 Vekuvana vaJosefa: Vekuvana vaEfuremu, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3638. Num 1:33 vakaverengwa vavo verudzi rwaEfuremu, zvuru makumi mana nemazana mashanu.
  3639. Num 1:34 Vekuvana vaManase, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3640. Num 1:35 vakaverengwa vavo, verudzi rwaManase, zvuru makumi matatu nezviviri nemazana maviri.
  3641. Num 1:36 Vekuvana vaBhenjamini, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3642. Num 1:37 vakaverengwa vavo, verudzi rwaBhenjamini, zvuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana.
  3643. Num 1:38 Vekuvana vaDhani, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3644. Num 1:39 vakaverengwa vavo, verudzi rwaDhani, zvuru makumi matanhatu nezviviri nemazana manomwe.
  3645. Num 1:40 Vekuvana vaAsheri, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3646. Num 1:41 vakaverengwa vavo, verudzi rwaAsheri, zvuru makumi mana nechimwe nemazana mashanu.
  3647. Num 1:42 Vana vaNafutari, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,
  3648. Num 1:43 vakaverengwa vavo, verudzi rwaNafutari, zvuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana.
  3649. Num 1:44 Ava ndivo vakaverengwa, Mozisi naAroni vavakaverenga, nemachinda aIsraeri, vari varume gumi nevaviri, umwe neumwe weimba yababa vake.
  3650. Num 1:45 Vaiva vakadaro vose vakaverengwa vevana vaIsraeri, neimba yemadzibaba avo, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo kwaIsraeri.
  3651. Num 1:46 Zvino vose vakaverengwa vaiva zvuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.
  3652. Num 1:47 Asi vaRevhi nerudzi rwemadzibaba avo havana kuverengwa pakati pavo.
  3653. Num 1:48 Nokuti Jehovha waiva ataura kuna Mozisi achiti:
  3654. Num 1:49 Koga usaverenga rudzi rwaRevhi uye usatora uwandu hwavo pakati pevana vaIsraeri.
  3655. Num 1:50 Asi iwe, gadza vaRevhi pamusoro petabhenakeri yechipupuriro, uye pamusoro penhumbi dzayo dzose, nepamusoro pezvinhu zvose zvayo; vachatakura tabhenakeri nenhumbi dzayo dzose, uye vachaishumira, nekudzika misasa kupoteredza tabhenakeri.
  3656. Num 1:51 Nepakusimuka kwetabhenakeri, vaRevhi vachaiwisira pasi; uye kana tabhenakeri ichidzikwa, vaRevhi vachaimisa; uye mweni akaswedera achaurawa.
  3657. Num 1:52 Zvino vana vaIsraeri vachadzika matende, umwe neumwe pamusasa wake, uye umwe neumwe pamureza wake, zvichienderana nehondo dzavo.
  3658. Num 1:53 Asi vaRevhi vachadzika matende kupoteredza tabhenakeri yechipupuriro, kuti kusava nehasha pamusoro peungano yevana vaIsraeri; uye vaRevhi vachachengetedza chirindo chetabhenakeri yechipupuriro.
  3659. Num 1:54 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvinoenderana nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi; vakaita saizvozvo.
  3660. Num 2:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  3661. Num 2:2 Vana vaIsraeri vachadzika matende, umwe neumwe nemureza wake, nerupawo rweimba yemadzibaba avo; vachadzika matende vakatarisana netende rekusangana vakarikomberedza.
  3662. Num 2:3 Zvino vachadzika matende nechekumabvazuva kunobuda zuva vari verupawo rwemusasa wekwaJudha zvichienderana nehondo dzavo; uye Nashoni mwanakomana waAminadhabhi achava muchinda wevana vaJudha.
  3663. Num 2:4 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo, zvuru makumi manomwe nezvina nemazana matanhatu.
  3664. Num 2:5 Nevanodzika matende kurutivi rwavo rudzi rwaIsasikari; uye Netaneri mwanakomana waZuwari achava muchinda wevana vaIsasikari.
  3665. Num 2:6 Zvino hondo yake nevakaverengwa vake, zvuru makumi mashanu nezvina nemazana mana.
  3666. Num 2:7 Rudzi rwaZebhuruni; muchinda wevana vaZebhuruni achava Eriabhu mwanakomana waHeroni.
  3667. Num 2:8 Zvino hondo yake nevakaverengwa vake, zvuru makumi mashanu nezvinomwe, nemazana mana.
  3668. Num 2:9 Vose vakaverengwa mumusasa waJudha zvuru zana nezvuru makumi masere nezvitanhatu nemazana mana, nehondo dzavo. Vachatanga kusimuka.
  3669. Num 2:10 Mureza wemusasa waRubheni uchava nechekuchamhembe zvichienderana nehondo dzavo; uye muchinda wevana vaRubheni achava Erizuri mwanakomana waShedheuri.
  3670. Num 2:11 Zvino hondo yake nevakaverengwa vake zvuru makumi mana nezvitanhatu nemazana mashanu.
  3671. Num 2:12 Neavo vakadzika matende kurutivi rwake rudzi rwaSimioni; uye muchinda wevana vaSimioni achava Sherumieri mwanakomana waZurishadhai.
  3672. Num 2:13 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mashanu nezvipfumbamwe nemazana matatu.
  3673. Num 2:14 Zvino rudzi rwaGadhi; uye muchinda wevanakomana vaGadhi achava Eriasafi mwanakomana waReueri.
  3674. Num 2:15 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu.
  3675. Num 2:16 Vose vakaverengwa mumusasa waRubheni zvuru zana nemakumi mashanu nechuru chimwe nemazana mana nemakumi mashanu, nehondo dzavo. Zvino vachasimuka pechipiri.
  3676. Num 2:17 Zvino tende rekusangana richasimuka pamwe nemusasa wevaRevhi pakati pemusasa; sekudzika kwavo musasa saizvozvo vachasimuka, umwe neumwe panzvimbo yake pamireza yavo.
  3677. Num 2:18 Mureza wemusasa waEfuremu uchava nechekumavirazuva zvichienderana nehondo dzavo; uye muchinda wevanakomana vaEfuremu achava Erishama mwanakomana waAmihudhi.
  3678. Num 2:19 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mana nemazana mashanu.
  3679. Num 2:20 Uye kurutivi rwake rudzi rwaManase; uye muchinda wevana vaManase achava Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
  3680. Num 2:21 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi matatu nezvuru zviviri nemazana maviri.
  3681. Num 2:22 Nerudzi rwaBhenjamini; uye muchinda wevanakomana vaBhenjamini achava Abhidhani mwanakomana waGidheoni.
  3682. Num 2:23 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana.
  3683. Num 2:24 Vose vakaverengwa vemusasa waEfuremu zvuru zana nezvisere nezana, nehondo dzavo. Zvino vachasimuka pechitatu.
  3684. Num 2:25 Mureza wemusasa waDhani uchava nechekumaodzanyemba zvichienderana nehondo dzavo; uye muchinda wevana vaDhani achava Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai.
  3685. Num 2:26 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi matanhatu nezviviri nemazana manomwe.
  3686. Num 2:27 Nevanodzika musasa parutivi rwake rudzi rwaAsheri; uye muchinda wevana vaAsheri achava Pagieri mwanakomana waOkirani.
  3687. Num 2:28 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mana nechimwe nemazana mashanu.
  3688. Num 2:29 Nerudzi rwaNafutari; uye muchinda wevana vaNafutari achava Ahira mwanakomana waEnani.
  3689. Num 2:30 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana.
  3690. Num 2:31 Vose vakaverengwa mumusasa waDhani zvuru zana nemakumi mashanu nezvinomwe nemazana matanhatu. Vachasimuka pekupedzisira nemireza yavo.
  3691. Num 2:32 Ava ndivo vakaverengwa vevana vaIsraeri neimba yemadzibaba avo; vose vakaverengwa vemisasa nehondo dzavo zvuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.
  3692. Num 2:33 Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pevana vaIsraeri, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  3693. Num 2:34 Vana vaIsraeri ndokuita sezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi; saizvozvo vakadzika misasa pamireza yavo, saizvozvowo vakasimuka, umwe neumwe pamhuri dzake, paimba yemadzibaba ake.
  3694. Num 3:1 Awawo marudzi aAroni naMozisi pazuva Jehovha raakataura naMozisi mugomo reSinai.
  3695. Num 3:2 Zvino awa mazita evanakomana vaAroni: Dangwe Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.
  3696. Num 3:3 Awa mazita evanakomana vaAroni, vapristi vakazodzwa, vaakatsaurira kushumira paupristi.
  3697. Num 3:4 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha pavakapa moto usingazikanwi pamberi paJehovha murenje reSinai; uye vaiva vasina vana. Naizvozvo Eriazari naItamari vakashumira paupristi pamberi paAroni baba vavo.
  3698. Num 3:5 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3699. Num 3:6 Swededza rudzi rwaRevhi, uvaise pamberi paAroni mupristi, kuti vamushandire.
  3700. Num 3:7 Zvino vachachengetedza faniro yake nefaniro yeungano yose pamberi petende rekusangana kuita ushumiri hwetabhenakeri.
  3701. Num 3:8 Zvino vachachengeta nhumbi dzose dzetende rekusangana nefaniro yevana vaIsraeri, kuita ushumiri hwetabhenakeri.
  3702. Num 3:9 Zvino uchapa vaRevhi kuna Aroni nevanakomana vake; vakapiwa chose kwaari kubva pavana vaIsraeri.
  3703. Num 3:10 Zvino uchagadza Aroni nevanakomana vake, uye vachachengetedza upristi hwavo; uye mweni anoswedera achaurawa.
  3704. Num 3:11 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3705. Num 3:12 Neni, tarira, ndakatora vaRevhi kubva pakati pevana vaIsraeri panzvimbo yematangwe ose anotanga kuzarura chizvaro kubva pakati pevana vaIsraeri. Naizvozvo vaRevhi ndevangu;
  3706. Num 3:13 nokuti dangwe rose nderangu; nezuva randakauraya dangwe rose panyika yeEgipita, ndakazvitsaurira dangwe rose muIsraeri, kubva kumunhu kusvika kumhuka; achava angu; ndini Jehovha.
  3707. Num 3:14 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai achiti:
  3708. Num 3:15 Verenga vana vaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo, nemhuri dzavo; munhurume umwe neumwe kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira, uchavaverenga.
  3709. Num 3:16 Naizvozvo Mozisi wakavaverenga zvichienderana neshoko raJehovha sezvaakarairwa.
  3710. Num 3:17 Zvino ava vaiva vanakomana vaRevhi nemazita avo: Gerishoni, naKohati, naMerari.
  3711. Num 3:18 Zvino awa mazita evanakomana vaGerishoni nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.
  3712. Num 3:19 Zvino vanakomana vaKohati nemhuri dzavo: Amiramu, naIzihari, Hebhuroni, naUziyeri.
  3713. Num 3:20 Nevanakomana vaMerari nemhuri dzavo: Mahiri naMushi. Idzi imhuri dzevaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo.
  3714. Num 3:21 KwaGerishoni kwaiva nemhuri yevaRibhini uye mhuri yevaShimei; idzi imhuri dzevaGerishoni.
  3715. Num 3:22 Vakaverengwa vavo, zvichienderana neuwandu hwevanhurume vose kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira, vakaverengwa vavo zvuru zvinomwe nemazana mashanu.
  3716. Num 3:23 Mhuri dzevaGerishoni dzichadzika matende shure kwetabhenakeri nechekumavirira.
  3717. Num 3:24 Zvino mutungamiriri weimba yababa vevaGerishoni achava Eriasafi mwanakomana waRaeri.
  3718. Num 3:25 Zvino faniro yevanakomana vaGerishoni mutende rekusangana ichava tabhenakeri, netende, chifukidzo chayo, nechiremberedzwa chemukova wetende rekusangana.
  3719. Num 3:26 Nezviremberedzwa zvechivanze, neketeni remukova wechivanze, riri patabhenakeri uye paaritari kupoteredza, nemabote ayo, zvemabasa ayo ose.
  3720. Num 3:27 Zvino kwaKohati mhuri yevaAmiramu, nemhuri yevaIzihari, nemhuri yevaHebhuroni, nemhuri yevaUziyeri. Idzi imhuri dzevaKohati.
  3721. Num 3:28 Pauwandu hwevanhurume vose kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira hwaiva zvuru zvisere nemazana matanhatu, vachichengetedza faniro yeimba tsvene.
  3722. Num 3:29 Mhuri dzevanakomana vaKohati dzichadzika matende kurutivi rwetabhenakeri nechekuchamhembe.
  3723. Num 3:30 Zvino mutungamiriri weimba yababa vemhuri dzevaKohati achava Erizafani mwanakomana waUziyeri.
  3724. Num 3:31 Zvino faniro yavo iareka, netafura, nechigadziko chemwenje, nemaaritari, nemidziyo yeimba tsvene dzavanoshumira nadzo, nechiremberedzwa, neshumiro yazvo yose.
  3725. Num 3:32 Zvino mutungamiriri wevatungamiriri vevaRevhi, anoona pamusoro pevanochengeta faniro yeimba tsvene, achava Eriazari mwanakomana waAroni mupristi.
  3726. Num 3:33 KwaMerari kwaiva nemhuri yevaMahari nemhuri yevaMushi; idzi imhuri dzaMerari.
  3727. Num 3:34 Zvino vakaverengwa vavo zvichienderana neuwandu hwevanhurume vose kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira zvuru zvitanhatu nemazana maviri.
  3728. Num 3:35 Zvino mutungamiriri weimba yababa vemhuri dzaMerari waiva Zurieri mwanakomana waAbhihairi. Vachadzika matende kurutivi rwetabhenakeri nechekumaodzanyemba.
  3729. Num 3:36 Zvino uchengeti hwefaniro yevanakomana vaMerari huchava matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo, nenhumbi dzayo dzose, neushumiri hwayo hwose;
  3730. Num 3:37 nembiru dzechivanze kupoteredza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, nemabote adzo.
  3731. Num 3:38 Zvino vaiva vakadzika matende pamberi petabhenakeri nechekumabvazuva pamberi petende rekusangana nechekumabvazuva kwaiva naMozisi naAroni nevanakomana vake, vachichengetedza chirindo cheimba tsvene, zvichiitirwa chirindo chevana vaIsraeri. Zvino mweni achaswedera achaurawa.
  3732. Num 3:39 Vose vakaverengwa vevaRevhi, Mozisi naAroni vavakaverenga semurairo waJehovha, nemhuri dzavo, munhurume umwe neumwe kubva mwanakomana wemwedzi zvichikwira, zvuru makumi maviri nezviviri.
  3733. Num 3:40 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Verenga matangwe ose evanhurume evana vaIsraeri kubva mwanakomana wemwedzi zvichikwira; ugotora uwandu hwemazita avo.
  3734. Num 3:41 Zvino uchanditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yematangwe ose pakati pevana vaIsraeri, nezvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo yematangwe ose pakati pezvipfuwo zvevana vaIsraeri.
  3735. Num 3:42 Mozisi ndokuverenga, Jehovha sezvaaiva amuraira, matangwe ose pakati pevana vaIsraeri.
  3736. Num 3:43 Zvino matangwe ose evarume neuwandu hwemazita kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira pane vakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi maviri nezviviri nemazana maviri nemakumi manomwe nematatu.
  3737. Num 3:44 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3738. Num 3:45 Tora vaRevhi panzvimbo yematangwe ose pakati pevana vaIsraeri, nezvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo yezvipfuwo zvavo; zvino vaRevhi vachava vangu; ndini Jehovha.
  3739. Num 3:46 Maererano neavo vachadzikinurwa, mazana maviri nemakumi manomwe nematatu kubva padangwe revana vaIsraeri, vanoraudzira vaRevhi,
  3740. Num 3:47 uchatorawo mashekeri mashanu mashanu pamusoro umwe; uchatora zvichienderana neshekeri reimba tsvene. Shekeri magera makumi maviri.
  3741. Num 3:48 Zvino uchapa kuna Aroni nekuvanakomana vake mari iyo yevakadzikinurwa vakaraudzira pakati pavo.
  3742. Num 3:49 Zvino Mozisi wakatora mari yerudzikinuro kune ivo vaiva vakaraudzira vakadzikinurwa nevaRevhi.
  3743. Num 3:50 Wakatora mari kumatangwe evana vaIsraeri, mashekeri churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu, zvichienderana neshekeri reimba tsvene.
  3744. Num 3:51 Zvino Mozisi wakapa mari yevakadzikinurwa kuna Aroni nekuvanakomana vake, semuromo waJehovha, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  3745. Num 4:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  3746. Num 4:2 Tora uwandu hwevanakomana vaKohati kubva pakati pevanakomana vaRevhi zvichienderana nemhuri dzavo neimba yemadzibaba avo,
  3747. Num 4:3 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, vose vanopinda pahondo, kuita basa mutende rekusangana.
  3748. Num 4:4 Iyi ishumiro yevanakomana vaKohati mutende rekusangana, chitsvene chezvitsvene.
  3749. Num 4:5 Kana musasa uchisimuka, Aroni achauya, nevanakomana vake, vagobvisa vheiri rechifukidzo, ndokufukidza areka yechipupuriro naro.
  3750. Num 4:6 Zvino vachaisa pamusoro pazvo chikufukidzo chematehwe ezvikumba, ndokuwarira pamusoro mucheka wose weruvara rwedenga, zvino vachaisa zvibatiso zvayo.
  3751. Num 4:7 Uye pamusoro petafura yekuratidzira vachawarira mucheka weruvara rwedenga, ndokuisapo ndiro nemikombe yezvinonhuhwira nembiya nemikombe yezvipo zvinonwiwa; nechingwa chinogara chiripo chichava pamusoro payo.
  3752. Num 4:8 Zvino vachawarira pamusoro pazvo mucheka wezvitsvuku, ndokuufukidza nechifukidzo chematehwe ezvikumba, zvino ndokuisa zvibatiso zvayo.
  3753. Num 4:9 Zvino vachatora mucheka weruvara rwedenga ndokufukidza chigadziko chemwenje wechivheneko, nemwenje yacho, nembato dzacho, nezvaenga zvemadota zvacho, nemidziyo yacho yose yemafuta, yavanoshumira kwachiri nayo.
  3754. Num 4:10 Zvino vachaiisa pamwe nenhumbi dzacho dzose muchifukidzo chematehwe ezvikumba, ndokuchiisa padanda.
  3755. Num 4:11 Nepamusoro pearitari yegoridhe vachawarira mucheka weruvara rwedenga, ndokuifukidza nechifukidzo chematehwe ezvikumba; uye achaisa zvibatiso zvayo.
  3756. Num 4:12 Zvino vachatora nhumbi dzose dzeshumiro dzavanoshumira nadzo paimba tsvene, vagoisa mumucheka weruvara rwedenga, ndokudzifukidza muchifukidzo chematehwe ezvikumba; ndokuzviisa padanda.
  3757. Num 4:13 Zvino vachabvisa madota paaritari, ndokuwarira mucheka weruvara rwehute pamusoro payo.
  3758. Num 4:14 Zvino vachaisa pamusoro payo nhumbi dzayo dzose dzavanoshumira nadzo pairi: Zvaenga zvemoto, zvibaiso zvenyama, nefoshoro, nendiro dzekusasa, zvinhu zvose zvearitari; vagowarira pamusoro payo chifukidzo chematehwe ezvikumba, ndokuisa zvibatiso zvayo.
  3759. Num 4:15 Kana Aroni nevanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, pakubviswa kwemusasa, shure kweizvi vanakomana vaKohati vachauya kuitakura; asi havangabati chinhu chitsvene, zvimwe vangafa. Uyu ndiwo mutoro wevanakomana vaKohati mutende rekusangana.
  3760. Num 4:16 Zvino utariri hwaEriazari mwanakomana waAroni mupristi, huchava pamafuta emwenje, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nechipo chechidyiwa chemazuva ose, nemafuta ekuzodza; utariri patabhenakeri yose nezvose zvirimo, paimba tsvene nepanhumbi dzayo.
  3761. Num 4:17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  3762. Num 4:18 Musagura rudzi rwemhuri yevaKohati kubva pakati pevaRevhi.
  3763. Num 4:19 Asi vaitire izvi kuti vararame uye varege kufa kana vachiswedera kuchitsvene chezvitsvene: Aroni nevanakomana vake vachapinda, ndokuvagadza umwe neumwe pabasa rake nepamutoro wake.
  3764. Num 4:20 Asi havangapindi kuona kana zvitsvene zvakafukidzwa, zvimwe vangafa.
  3765. Num 4:21 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3766. Num 4:22 Tora uwandu hwose hwevana vaGerishoni ivowo, zvichienderana neimba yemadzibaba avo, nemhuri dzavo.
  3767. Num 4:23 Kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu uchavaverenga, wose anopinda kushumira shumiro, kuita basa mutende rekusangana.
  3768. Num 4:24 Iri ibasa remhuri dzevaGerishoni pakushumira nepamitoro:
  3769. Num 4:25 Ivo vachatakura maketeni etabhenakeri, netende rekusangana, chifukidzo charo, nechifukidzo chematehwe ezvikumba chiri pamusoro paro pamusoro, nechiremberedzwa chemukova wetende rekusangana,
  3770. Num 4:26 nezviremberedzwa zvechivanze, neketeni remukova wesuwo rechivanze chiri patabhenakeri nepaaritari kupoteredza, nemabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzeshumiro, nezvose zvazvakaitirwa; vashumire saizvozvo.
  3771. Num 4:27 Sekuraira kwaAroni nevanakomana vake ndizvo zvichaita shumiro yose yevanakomana vaGerishoni, pamitoro yavo yose, nepashumiro yavo yose; uye uchavagadzira kuchengeta mutoro wavo wose.
  3772. Num 4:28 Iyi ishumiro yemhuri dzevanakomana vaGerishoni patende rekusangana; uye kuchengetedzwa kwayo kuchava pasi peruoko rwaItamari mwanakomana waAroni mupristi.
  3773. Num 4:29 Zvino kuvanakomana vaMerari, uchavaverenga zvichienderana nemhuri dzavo, zvichienderana neimba yemadzibaba avo.
  3774. Num 4:30 Uchavaverenga kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe anopinda pashumiro, kuita basa retende rekusangana.
  3775. Num 4:31 Ndiko kuchengetedzwa kwemutoro wavo, zvichienderana neshumiro yavo yose patende rekusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo,
  3776. Num 4:32 nembiru dzechivanze chakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, nemabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, uye neshumiro yadzo yose; uye uchataura nemazita nhumbi dzefaniro yemutoro wavo.
  3777. Num 4:33 Iyi ishumiro yemhuri dzevanakomana vaMerari, zvichienderana neshumiro yavo yose mutende rekusangana, muruoko rwaItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
  3778. Num 4:34 Zvino Mozisi naAroni nemachinda eungano vakaverenga vanakomana vevaKohati zvichienderana nemhuri dzavo, uye neimba yemadzibaba avo;
  3779. Num 4:35 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe anopinda pashumiro pabasa mutende rekusangana.
  3780. Num 4:36 Zvino vakaverengwa vavo nemhuri dzavo vaiva zvuru zviviri nemazana manomwe nemakumi mashanu.
  3781. Num 4:37 Ava ndivo vakaverengwa vemhuri dzevaKohati, vose vaiita shumiro mutende rekusangana, Mozisi naAroni vavakaverenga, zvichienderana nekuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.
  3782. Num 4:38 Nevakaverengwa vevanakomana vaGerishoni nemhuri dzavo, uye neimba yemadzibaba avo,
  3783. Num 4:39 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe waipinda pashumiro, pabasa mutende rekusangana.
  3784. Num 4:40 Neavo vakaverengwa vavo nemhuri dzavo neimba yemadzibaba avo vaiva zvuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi matatu.
  3785. Num 4:41 Ava ndevakaverengwa vemhuri dzevanakomana vaGerishoni, vose vaibata mutende rekusangana, Mozisi naAroni vavakaverenga, zvichienderana nekuraira kwaJehovha.
  3786. Num 4:42 Nevakaverengwa vemhuri dzevanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo,
  3787. Num 4:43 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe aipinda pashumiro, pabasa mutende rekusangana,
  3788. Num 4:44 neavo vakaverengwa vavo nemhuri dzavo vaiva zvuru zvitatu nemazana maviri.
  3789. Num 4:45 Ava ndevakaverengwa vemhuri dzevanakomana vaMerari, Mozisi naAroni vavakaverenga, zvichienderana nekuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.
  3790. Num 4:46 Vose vakaverengwa vevaRevhi, Mozisi naAroni nemachinda aIsraeri avakaverenga, nemhuri dzavo, uye neimba yemadzibaba avo,
  3791. Num 4:47 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe anopinda kubata basa reshumiro nebasa remutoro mutende rekusangana,
  3792. Num 4:48 vakaverengwa vavo vaiva zvuru zvisere nemazana mashanu nemakumi masere.
  3793. Num 4:49 Zvichienderana nekuraira kwaJehovha vakaverengwa neruoko rwaMozisi, umwe neumwe zvichienderana neshumiro yake, uye zvichienderana nemutoro wake; saizvozvo vakaverengwa naye, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  3794. Num 5:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3795. Num 5:2 Raira vana vaIsraeri kuti vabudise mumusasa umwe neumwe ane maperembudzi uye umwe neumwe ane kuyerera uye umwe neumwe akasvibiswa neakafa.
  3796. Num 5:3 Kubva kumunhurume kusvika kumunhukadzi, uchabudisa; muvabudise kusvika kunze kwemusasa; kuti vasasvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.
  3797. Num 5:4 Zvino vana vaIsraeri vakaita saizvozvo; ndokuvabudisa kusvika kunze kwemusasa; Jehovha sezvaakataura kuna Mozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsraeri.
  3798. Num 5:5 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3799. Num 5:6 Taura kuvana vaIsraeri uti: Kana murume kana mukadzi akaita chipi pazvivi zvevanhu, kutadza chitadzo kuna Jehovha, mweya uyu ndokuva nemhosva.
  3800. Num 5:7 Zvino vachareurura chivi chavo chavakaita, ndokuripira kudarika kwake muuwandu hwako hwose, ndokuwedzera cheshanu chayo pairi, ndokupa kune waakatadzira.
  3801. Num 5:8 Asi kana munhu uyo asina muripirwi wechikama kuripa mhosva kwaari, mhosva icharipirwa kuna Jehovha, kumupristi, kunze kwegondohwe rechiyananiso, raachayananisirwa naro.
  3802. Num 5:9 Nechipo chose chezvitsvene zvose zvevana vaIsraeri, zvavanouya nazvo kumupristi, zvichava zvake.
  3803. Num 5:10 Nezvinhu zvitsvene zvemunhu umwe neumwe zvichava zvake; chinhu munhu upi neupi chaanopa kumupristi chichava chake.
  3804. Num 5:11 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3805. Num 5:12 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana mukadzi wemurume upi neupi akatsauka ndokumutadzira chitadzo,
  3806. Num 5:13 uye murume akarara naye neurume hwekusangana, zvikavanzika pameso emurume wake, asina kuonekwa, iye asvibiswa, asi pasina uchapupu hunomupikisa, uye iye asina kubatwa;
  3807. Num 5:14 uye mweya weshanje ukauya pamusoro pake ndokuva neshanje nemukadzi wake, uye iye akasvibiswa; kana mweya weshanje ukauya pamusoro pake iye ndokuva neshanje nemukadzi wake, asi iye asina kusvibiswa;
  3808. Num 5:15 murume achauya nemukadzi wake kumupristi, achauyawo nechipo chake pamusoro pake, chegumi cheefa yeupfu hwebhari; haangadiri mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pahuri; nokuti chipo chechidyiwa cheshanje, chipo chechidyiwa chechirangaridzo, achirangaridza kuipa.
  3809. Num 5:16 Zvino mupristi achamuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha.
  3810. Num 5:17 Zvino mupristi achatora mvura tsvene mumudziyo wevhu, nepaguruva riri pasi petabhenakeri mupristi achatora, ndokuisa mumvura.
  3811. Num 5:18 Zvino mupristi achaisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokufukura musoro wemukadzi, ndokuisa chipo chechidyiwa chechirangaridzo mumaoko ake, chiri chipo chechidyiwa cheshanje; zvino muruoko rwemupristi muchava nemvura inovava inouisa kutukwa.
  3812. Num 5:19 Zvino mupristi achamupikisa, achiti kumukadzi: Kana pasina murume akarara newe, uye kana usina kutsaukira kukusachena, uri pasi pemurume wako, sununguka pamvura iyi inovava, inouisa kutukwa;
  3813. Num 5:20 asi iwe kana wakatsauka, uri pasi pemurume wako, uye kana wakasvibiswa, umwe murume akarara newe asati ari murume wako;
  3814. Num 5:21 zvino mupristi achapikisa mukadzi nemhiko yekutukwa, mupristi ndokuti kumukadzi: Jehovha ngaakuite chakatukwa nemhiko pakati perudzi rwako, Jehovha paanoondesa chidya chako nekuzvimbisa dumbu rako.
  3815. Num 5:22 Zvino mvura iyi inouisa kutukwa ichapinda muura hwako, kuita dumbu rako rizvimbe, nechidya chako chionde. Zvino mukadzi achati: Ameni, ameni.
  3816. Num 5:23 Zvino mupristi achanyora matukano awa murugwaro agosuka nemvura inovava.
  3817. Num 5:24 Zvino achanwisa mukadzi mvura inovava inouisa kutukwa; nemvura inouisa zvakatukwa ichapinda maari, kuvavisisa.
  3818. Num 5:25 Zvino mupristi achatora chipo chechidyiwa cheshanje kubva paruoko rwemukadzi, ndokuzunguzira chipo chechidyiwa pamberi paJehovha, ndokuchipa paaritari.
  3819. Num 5:26 Mupristi ndokutora ruoko rwuzere rwechipo chechidyiwa, chive chirangaridzo chacho, ndokupisa paaritari, shure kweizvozvo ndokunwisa mukadzi mvura iyo.
  3820. Num 5:27 Zvino kana amunwisa mvura iyo, zvino zvichaitika kana asvibiswa, atadzira murume wake chitadzo, mvura iyo inouisa kutukwa yapinda maari kuvavisisa, dumbu rake richazvimba, nechidya chake chichaonda; uye mukadzi uyu achava chakatukwa pakati pevanhu vekwake.
  3821. Num 5:28 Asi kana mukadzi asina kusvibiswa, asi akachena, ipapo achasununguka, agogamuchira mbeu.
  3822. Num 5:29 Ndiwo murairo weshanje, kana mukadzi akatsauka ari pasi pemurume wake, ndokusvibiswa;
  3823. Num 5:30 kana zvimwe mweya weshanje wauya pamusoro pake, ndokuva neshanje pamusoro pemukadzi wake, ndokuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira murairo uyu wose.
  3824. Num 5:31 Zvino murume achasununguka pamhosva, asi mukadzi uyu achatakura kuipa kwake.
  3825. Num 6:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3826. Num 6:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Murume kana mukadzi paanozvitsaurira mhiko, mhiko yemuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha,
  3827. Num 6:3 achazviparadzanisa newaini nezvinwiwa zvinodhaka, asanwa vhiniga yewaini kana vhiniga yezvinwiwa zvinodhaka, uye asanwa chero muto wemizambiringa, kana kudya mazambiringa manyoro kana akaomeswa.
  3828. Num 6:4 Mazuva ose ekuzvitsaura kwake haangadyi chinhu chinoitwa kubva pamuti wemuzambiringa, kubva pamhodzi kusvika pamateko.
  3829. Num 6:5 Mazuva ose emhiko yekuzvitsaura kwake hapangavi nechisvo chichapfuura pamusoro wake; kusvika kwazadzisika mazuva aakazvitsaurira maari kuna Jehovha achava mutsvene, arege mhotsi dzevhudzi remusoro wake rikure.
  3830. Num 6:6 Mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha haangaswederi kuchitunha.
  3831. Num 6:7 Nekuda kwababa vake kana nekuda kwamai vake, nekuda kwemunin’ina wake kana nekuda kwehanzvadzi yake, haangazviiti asina kuchena nekuda kwavo pakufa kwavo; nokuti kuzvitsaurira Mwari wake kuri pamusoro pemusoro wake.
  3832. Num 6:8 Mazuva ose ekuzvitsaura kwake mutsvene kuna Jehovha.
  3833. Num 6:9 Zvino kana munhu upi akafa kamwe-kamwe paari, ndokusvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo achaveura musoro wake nezuva rekunatswa kwake; nezuva rechinomwe achauveura.
  3834. Num 6:10 Uye nezuva rerusere achauya nenjiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa kumupristi pamukova wetende rekusangana.
  3835. Num 6:11 Zvino mupristi achabaira imwe ive chipo chezvivi, neimwe ive chipo chinopiswa, amuitire chiyananiso pane zvaakatadza nekuda kwewakafa, agoita musoro wake mutsvene nezuva iroro.
  3836. Num 6:12 Zvino achatsaurira Jehovha mazuva ekuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regore rimwe, rive chipo chemhosva; asi mazuva ekutanga achawa, nokuti kuzvitsaura kwake kwakasvibiswa.
  3837. Num 6:13 Zvino uyu murairo wemuNaziri: Kana mazuva ekuzvitsaura kwake azadziswa, achariuisa kumukova wetende rekusangana;
  3838. Num 6:14 agopa chipo chake kuna Jehovha, gwayana rimwe regore rimwe risina chipomerwa rive chipo chinopiswa, negwayana gadzi rimwe regore rimwe risina chipomerwa rive chipo chezvivi, negondohwe rimwe risina chipomerwa rive chipo chekuyananisa,
  3839. Num 6:15 netswanda yezvingwa zvisina kuviriswa, makeke eupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta, nechipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa.
  3840. Num 6:16 Zvino mupristi achazviuisa pamberi paJehovha, ndokupa chipo chake chezvivi nechipo chake chinopiswa.
  3841. Num 6:17 Ndokupa gondohwe rive chibairo chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha, pamwe netswanda yezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi achapawo chipo chake chechidyiwa, nechipo chake chechinwiwa.
  3842. Num 6:18 Zvino muNaziri achaveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rekusangana, ndokutora vhudzi remusoro wake wakatsaurwa ndokuriisa mumoto uri pasi pechibairo chezvipo zvekuyananisa.
  3843. Num 6:19 Zvino mupristi achatora bandauko rakabikwa pagondohwe, nekeke rimwe risina kuviriswa patswanda, nechingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuisa pamaoko emuNaziri aveura kuzvitsaura kwake.
  3844. Num 6:20 Zvino mupristi achazvizunguzira, chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chitsvene kumupristi, pamwe nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rekusimudzwa; zvino shure kweizvi muNaziri anganwa waini.
  3845. Num 6:21 Uyu murairo wemuNaziri wakapikira chipo chake chekutsaurira kwake kuna Jehovha, kunze kweizvi ruoko rwake zvarwunosvikira; nemhiko yake yaakapika, achaita saizvozvo, semurairo wekuzvitsaura kwake.
  3846. Num 6:22 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3847. Num 6:23 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake uchiti: Ndizvo mucharopafadza vana vaIsraeri muchiti kwavari:
  3848. Num 6:24 Jehovha akuropafadze, akuchengete.
  3849. Num 6:25 Jehovha avhenekerese chiso chake kwauri, uye ave nenyasha kwauri;
  3850. Num 6:26 Jehovha ngaasimudzire chiso chake kwauri, agokupa rugare.
  3851. Num 6:27 Saizvozvo vachaisa zita rangu pamusoro pevana vaIsraeri; neni ndichavaropafadza.
  3852. Num 7:1 Zvino zvakaitika nezuva Mozisi raakapedza naro kumisa tabhenakeri, uye aizodza, uye aiita tsvene, nenhumbi dzayo dzose, nearitari nemidziyo yayo yose, uye azvizodza nekuzviita zvitsvene,
  3853. Num 7:2 kuti machinda aIsraeri, misoro yeimba yemadzibaba avo, vaiva machinda emarudzi, vaiva vatariri pavakaverengwa, ape zvibairo.
  3854. Num 7:3 Ndokuuya nezvipo zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzwa, nenzombe gumi nembiri; ngoro yemachinda maviri, uye nzombe pane umwe; ndokuuya nazvo pamberi petabhenakeri.
  3855. Num 7:4 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3856. Num 7:5 Gamuchira kwavari, kuti zvive zvekubata basa retende rekusangana; uye uchazvipa kuvaRevhi, umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.
  3857. Num 7:6 Naizvozvo Mozisi wakagamuchira ngoro nenzombe ndokuzvipa kuvaRevhi.
  3858. Num 7:7 Ngoro mbiri nenzombe ina wakapa kuvanakomana vaGerishoni zvichienderana nebasa ravo.
  3859. Num 7:8 Zvino ngoro ina nenzombe sere wakapa kuvanakomana vaMerari zvichienderana nebasa ravo, paruoko rwaItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
  3860. Num 7:9 Asi kuvanakomana vaKohati haana kupa, nokuti basa renzvimbo tsvene raiva pamusoro pavo, vautakure pamafudzi.
  3861. Num 7:10 Machinda akapa zvekutsaurwa kwearitari nezuva rayakazodzwa naro; nemachinda akapa zvipo zvawo pamberi pearitari.
  3862. Num 7:11 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Muchinda umwe neumwe nezuva rake, vachapa zvipo zvavo zvekutsaurira aritari.
  3863. Num 7:12 Neanopa chipo chake zuva rekutanga waiva Naashoni, mwanakomana waAminadhabhu, werudzi rwaJudha.
  3864. Num 7:13 Zvino chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zviviri zvazvo zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3865. Num 7:14 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3866. Num 7:15 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3867. Num 7:16 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3868. Num 7:17 uye zvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaNaashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
  3869. Num 7:18 Nezuva repiri Netaneri, mwanakomana waZuwari, muchinda waIsasikari wakapa chipo.
  3870. Num 7:19 Wakapa chipo chake: Ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3871. Num 7:20 mukombe umwe wegoridhe remashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;
  3872. Num 7:21 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3873. Num 7:22 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3874. Num 7:23 uye zvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuwari.
  3875. Num 7:24 Nezuva retatu kwakauya Eriabhu mwanakomana waHeroni muchinda wevana vaZebhuruni.
  3876. Num 7:25 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3877. Num 7:26 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;
  3878. Num 7:27 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3879. Num 7:28 mbudzana yembudzi imwe, ive chipo chezvivi;
  3880. Num 7:29 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaEriabhu, mwanakomana waHeroni.
  3881. Num 7:30 Nezuva rechina kwakauya Erizuri, mwanakomana waShedheuri, muchinda wevana vaRubheni.
  3882. Num 7:31 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3883. Num 7:32 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;
  3884. Num 7:33 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3885. Num 7:34 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3886. Num 7:35 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaErizuri, mwanakomana waShedheuri.
  3887. Num 7:36 Nezuva reshanu kwakauya Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, muchinda wevana vaSimioni.
  3888. Num 7:37 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3889. Num 7:38 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3890. Num 7:39 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3891. Num 7:40 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3892. Num 7:41 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
  3893. Num 7:42 Nezuva retanhatu kwakauya Eriasafi, mwanakomana waDheueri, muchinda wevana vaGadhi.
  3894. Num 7:43 Chipo chake chaiva ndiro huru imwe yesirivha, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3895. Num 7:44 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;
  3896. Num 7:45 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3897. Num 7:46 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3898. Num 7:47 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaEriasafi, mwanakomana waDheueri.
  3899. Num 7:48 Nezuva rechinomwe kwakauya Erishama, mwanakomana waAmihudhi, muchinda wevana vaEfuremu.
  3900. Num 7:49 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3901. Num 7:50 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3902. Num 7:51 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3903. Num 7:52 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3904. Num 7:53 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.
  3905. Num 7:54 Nezuva rerusere kwakauya Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, muchinda wevana vaManase.
  3906. Num 7:55 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3907. Num 7:56 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3908. Num 7:57 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3909. Num 7:58 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3910. Num 7:59 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
  3911. Num 7:60 Nezuva repfumbamwe kwakauya Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, muchinda wevana vaBhenjamini.
  3912. Num 7:61 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3913. Num 7:62 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3914. Num 7:63 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3915. Num 7:64 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3916. Num 7:65 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
  3917. Num 7:66 Nezuva regumi kwakauya Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, muchinda wevana vaDhani.
  3918. Num 7:67 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3919. Num 7:68 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3920. Num 7:69 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3921. Num 7:70 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3922. Num 7:71 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
  3923. Num 7:72 Nezuva regumi nerimwe kwakauya Pagieri mwanakomana waOkirani, muchinda wevana vaAsheri.
  3924. Num 7:73 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa imwe yesirivha yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3925. Num 7:74 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3926. Num 7:75 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3927. Num 7:76 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3928. Num 7:77 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaPagieri, mwanakomana waOkirani.
  3929. Num 7:78 Nezuva regumi nemaviri kwakauya Ahira mwanakomana waEnani, muchinda wevana vaNafutari.
  3930. Num 7:79 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;
  3931. Num 7:80 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,
  3932. Num 7:81 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;
  3933. Num 7:82 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;
  3934. Num 7:83 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaAhira, mwanakomana waEnani.
  3935. Num 7:84 Uku ndiko kwaiva kutsaurwa kwearitari nezuva rayakazodzwa naro, nemachinda aIsraeri: Ndiro huru dzesirivha gumi nembiri, ndiro dzekusasa dzesirivha gumi nembiri, mikombe yegoridhe gumi nemiviri.
  3936. Num 7:85 Imwe neimwe ndiro huru yesirivha yaiva mashekeri zana nemakumi matatu, uye imwe neimwe ndiro yekusasa mashekeri makumi manomwe; sirivha yose yendiro yaiva mashekeri zvuru zviviri nemazana mana, zvichienderana neshekeri reimba tsvene.
  3937. Num 7:86 Mikombe yegoridhe gumi nemiviri izere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, umwe neumwe waiva mashekeri gumi, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; goridhe rose remikombe raiva mashekeri zana nemakumi maviri.
  3938. Num 7:87 Zvipfuwo zvose zvechipo chinopiswa zvaiva nzombe diki gumi nembiri, makondohwe gumi nemaviri, makwayana egore rimwe gumi nemaviri, nechipo chazvo chechidyiwa; nembudzana dzembudzi gumi nembiri, zvive chipo chezvivi.
  3939. Num 7:88 Nezvipfuwo zvose zvechibairo chechipo chekuyananisa zvaiva nzombe diki makumi maviri nena, makondohwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu, makwayana egore rimwe makumi matanhatu. Uku ndiko kwaiva kutsaurwa kwearitari, shure kwekuzodzwa kwayo.
  3940. Num 7:89 Zvino Mozisi wakati apinda mutende rekusangana kutaura naye, wakanzwa inzwi richitaura naye kubva pamusoro pechigaro chengoni chaiva pamusoro peareka yechipupuriro kubva pakati pemakerubhi maviri; ndokutaura naye.
  3941. Num 8:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3942. Num 8:2 Taura kuna Aroni, ugoti kwaari: Kana uchitungidza mwenje, mwenje minomwe ichapa chiedza mberi pamberi pechigadziko chemwenje.
  3943. Num 8:3 Aroni ndokuita saizvozvo; mberi pamberi pechigadziko chemwenje wakatungidza mwenje yacho, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  3944. Num 8:4 Zvino basa iri rechigadziko chemwenje raiva regoridhe rakapfurwa; kusvika pahwaro hwacho kusvika pamaruva acho raiva basa rakapfurwa; semufananidzo Jehovha waakataridza Mozisi, wakachiita saizvozvo chigadziko chemwenje.
  3945. Num 8:5 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3946. Num 8:6 Bvisa vaRevhi pakati pevana vaIsraeri, uvanatse.
  3947. Num 8:7 Zvino uchavaitira seizvi kuvanatsa: Sasa mvura yekuchenura pamusoro pavo, uye vapfuudze chisvo pamuviri wavo wose, vasuke nguvo dzavo vagozvichenesa.
  3948. Num 8:8 Zvino ngavatore nzombe diki mhuru yemombe, nechipo chayo chechidyiwa, upfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; utore neimwe nzombe diki mhuru yemombe ive chipo chezvivi.
  3949. Num 8:9 Zvino uchaswededza vaRevhi pamberi petende rekusangana, uye uchaunganidza ungano yose yevana vaIsraeri.
  3950. Num 8:10 Zvino uchaswededza vaRevhi pamberi paJehovha; vana vaIsraeri vagoisa maoko avo pamusoro pevaRevhi.
  3951. Num 8:11 Zvino Aroni achazunguzira vaRevhi vave chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha, kubva kuvana vaIsraeri, kuti vave vangabata basa raJehovha.
  3952. Num 8:12 Zvino vaRevhi vachaisa maoko avo pamisoro yenzombe diki; ugopa imwe ive chipo chezvivi, neimwe ive chipo chinopiswa kuna Jehovha, kuitira vaRevhi chiyananiso.
  3953. Num 8:13 Zvino uchaisa vaRevhi pamberi paAroni nepamberi pevanakomana vake, ugovazunguzira kuva chipo chinozunguzirwa kuna Jehovha.
  3954. Num 8:14 Saizvozvo uchatsaura vaRevhi kubva pakati pevana vaIsraeri, kuti vaRevhi vave vangu.
  3955. Num 8:15 Zvino shure kweizvozvo vaRevhi vachapinda kubata patende rekusangana; uye uchavanatsa nekuvazunguzira vave chipo chinozunguzirwa.
  3956. Num 8:16 Nokuti vakapiwa chose ini pakati pevana vaIsraeri; pachinzvimbo cheicho chinozarura chizvaro chimwe nechimwe, pachinzvimbo chedangwe reumwe neumwe kubva pavana vaIsraeri ndakavatora kwandiri.
  3957. Num 8:17 Nokuti dangwe rose pakati pevana vaIsraeri nderangu, pakati pevanhu nepakati pechipfuwo; nezuva randakarova naro dangwe rimwe nerimwe panyika yeEgipita ndakazviitira vatsvene iwo.
  3958. Num 8:18 Zvino ndakatora vaRevhi panzvimbo yedangwe rose pakati pevana vaIsraeri.
  3959. Num 8:19 Zvino ndakapa vaRevhi sechipo kuna Aroni nekuvanakomana vake, vachibva pakati pevana vaIsraeri, kubata basa revana vaIsraeri mutende rekusangana, nekuitira vana vaIsraeri chiyananiso, kuti kusava nedambudziko pakati pevana vaIsraeri, vana vaIsraeri pavanoswedera kuimba tsvene.
  3960. Num 8:20 Zvino Mozisi naAroni neungano yose yevana vaIsraeri vakaitira vaRevhi zvichienderana nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi pamusoro pevaRevhi; vana vaIsraeri vakavaitira saizvozvo.
  3961. Num 8:21 Zvino vaRevhi vakazvinatsa, ndokusuka nguvo dzavo, Aroni ndokuvazunguzira vakava chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha; Aroni ndokuvaitira chiyananiso kuvanatsa.
  3962. Num 8:22 Zvino shure kweizvozvo vaRevhi vakapinda kubata basa ravo patende rekusangana pamberi paAroni nepamberi pevanakomana vake; Jehovha sezvaakaraira Mozisi pamusoro pevaRevhi, vakavaitira saizvozvo.
  3963. Num 8:23 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3964. Num 8:24 Ndizvo zvakanangana nevaRevhi: Kubva pazera remakore makumi maviri nemashanu zvichikwira vagopinda kubata basa pabasa retende rekusangana.
  3965. Num 8:25 Zvino kubva pazera remakore makumi mashanu vachabuda pabasa rebasa, vasava vachiri kubata.
  3966. Num 8:26 Asi vachabatsira hama dzavo patende rekusangana kuchengeta faniro, asi vasabata basa. Uchaita saizvozvo kuvaRevhi pafaniro yavo.
  3967. Num 9:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai, mumwedzi wekutanga mugore rechipiri shure kwekubuda kwavo munyika yeEgipita achiti:
  3968. Num 9:2 Zvino vana vaIsraeri ngavachengetedze pasika panguva yayo yakatarwa.
  3969. Num 9:3 Nezuva regumi nemana remwedzi uno, madekwani, muchaichengetedza panguva yayo yakatarwa; zvichienderana nezvimiso zvayo zvose uye zvichienderana nemirairo yayo yose muchaichengetedza.
  3970. Num 9:4 Naizvozvo Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri kuti vachengetedze pasika.
  3971. Num 9:5 Zvino vakachengetedza pasika nezuva regumi nemana remwedzi wekutanga, madekwani, murenje reSinai; zvichienderana nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi, vaIsraeri vakaita saizvozvo.
  3972. Num 9:6 Zvino kwaiva kune varume vaiva vakasvibiswa nechitunha chemunhu, kuti vaiva vasingagoni kuchengetedza pasika pazuva iro; ndokuswedera pamberi paMozisi nepamberi paAroni pazuva iroro.
  3973. Num 9:7 Varume avo ndokuti kwaari: Takasvibiswa nechitunha chemunhu; sei tichidziviswa kuti tisapa chipo chaJehovha panguva yake yakatarwa pakati pevana vaIsraeri?
  3974. Num 9:8 Mozisi ndokuti kwavari: Mirai, kuti ndinzwe kuti Jehovha acharairei pamusoro penyu.
  3975. Num 9:9 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:
  3976. Num 9:10 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana umwe neumwe pakati penyu kana pakati pezvizvarwa zvenyu akava wakasviba nekuda kwechitunha kana ari kurwendo ruri kure, zvakadaro achachengetedza pasika kuna Jehovha.
  3977. Num 9:11 Nemwedzi wechipiri nezuva regumi nemana, madekwani, vachaichengetedza; vachaidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava.
  3978. Num 9:12 Havangasii chinhu pairi kusvika mangwanani, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo; vachaichengetedza zvichienderana nemutemo wose wepasika.
  3979. Num 9:13 Asi munhu wakachena, uye asiri parwendo, anorega kuchengetedza pasika, mweya weupenyu iwoyo uchagurwa kubva pakati pevanhu vekwawo; nokuti haana kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa; munhu uyo achatakura chivi chake.
  3980. Num 9:14 Zvino kana mweni agere semutorwa pakati penyu achichengetedza pasika kuna Jehovha zvichienderana nechimiso chepasika uye zvichienderana netsika yayo, achaita seizvi; muchava nemutemo umwe zvose wemweni newewakaberekerwa munyika.
  3981. Num 9:15 Zvino nezuva tabhenakeri rayakamiswa naro gore rakafukidza tabhenakeri, patende rechipupuriro; nemadekwani raiva pamusoro petabhenakeri sekuonekwa kwemoto kusvika mangwanani.
  3982. Num 9:16 Zvaiva zvakadaro nguva dzose; gore raiifukidza, uye kwakava nekuonekwa kwemoto usiku.
  3983. Num 9:17 Zvino gore raiti rasimudzwa kubva patende, ipapo shure kweizvozvo vana vaIsraeri vaifamba; nepanzvimbo gore paraimira, vana vaIsraeri vaidzika matende avo ipapo.
  3984. Num 9:18 Pakuraira kwaJehovha vana vaIsraeri vaifamba, uye pakuraira kwaJehovha vaidzika matende; nguva yose gore yaraimira nayo pamusoro petabhenakeri vairamba vakadzika.
  3985. Num 9:19 Zvino kana gore richigara pamusoro petabhenakeri mazuva mazhinji, ipapo vana vaIsraeri vaichengetedza faniro yaJehovha, ndokusafamba.
  3986. Num 9:20 Zvino kwakati apo gore raiva pamusoro petabhenakeri mazuva mashoma, zvichienderana nekuraira kwaJehovha vaidzika matende avo, uye zvichienderana nekuraira kwaJehovha vaifamba.
  3987. Num 9:21 Zvino kwakati apo gore riripo kubva madekwani kusvika mangwanani, gore ndokusimudzwa mangwanani, vaifamba; angava masikati kana usiku, paisimudzwa gore vaifamba.
  3988. Num 9:22 Kana mazuva maviri, kana mwedzi, kana gore, dai gore raigara nguva refu pamusoro petabhenakeri, vana vaIsraeri vaidzika matende avo, vakasafamba; asi paraisimudzwa, vaifamba.
  3989. Num 9:23 Pakuraira kwaJehovha vaidzika matende avo, uye pakuraira kwaJehovha vaifamba; vaichengetedza faniro yaJehovha, pakuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.
  3990. Num 10:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  3991. Num 10:2 Zviitire hwamanda dzesirivha mbiri; uchadziita dzive basa rakapfurwa; uye dzichava dzako pakudana ungano, nepakusimuka kwemusasa.
  3992. Num 10:3 Kana vachidziridza ungano yose ichaunganira kwauri pamukova wetende rekusangana.
  3993. Num 10:4 Asi kana vachiridza imwe, ipapo machinda, misoro yezvuru zvaIsraeri, vachaungana kwauri.
  3994. Num 10:5 Pamunoridza ruzha, ipapo misasa yakadzikwa kumabvazuva ichasimuka.
  3995. Num 10:6 Pamunoridza ruzha rwechipiri, ipapo misasa yakadzikwa kuchamhembe ichasimuka; vacharidza ruzha rwenzendo dzavo.
  3996. Num 10:7 Asi pakuunganidza ungano mucharidza, asi musaridza ruzha.
  3997. Num 10:8 Zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vacharidza nehwamanda; uye vachava kwamuri chimiso nekusingaperi pamazera enyu.
  3998. Num 10:9 Zvino kana muchienda kuhondo munyika menyu makatarisana nemuvengi anokudzvinyirirai, ipapo mucharidza ruzha nehwamanda; zvino mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.
  3999. Num 10:10 Uye nezuva rekufara kwenyu uye nemitambo yenyu yakatarwa nepakutanga kwemwedzi yenyu mucharidza nehwamanda pamusoro pezvipo zvenyu zvinopiswa nepamusoro pezvibairo zvezvipo zvenyu zvekuyananisa, kuti zvive kwamuri chirangaridzo pamberi paMwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  4000. Num 10:11 Zvino zvakaitika negore rechipiri nemwedzi wechipiri neremakumi maviri remwedzi, gore rakasimudzwa rikabva pamusoro petabhenakeri yeuchapupu.
  4001. Num 10:12 Zvino vana vaIsraeri vakafamba kubva murenje reSinai, nenzendo dzavo; gore ndokumira murenje reParani.
  4002. Num 10:13 Zvino vakatanga kusimuka sekuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.
  4003. Num 10:14 Kwakasimuka mureza wemusasa wevana vaJudha pakutanga nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naNaashoni mwanakomana waAminadhabhu.
  4004. Num 10:15 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaIsasikari paiva naNetaneri mwanakomana waZuwari.
  4005. Num 10:16 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaZebhuruni paiva naEriabhu mwanakomana waHeroni.
  4006. Num 10:17 Zvino tabhenakeri yakawiswa; vanakomana vaGerishoni nevanakomana vaMerari ndokusimuka vakatakura tabhenakeri.
  4007. Num 10:18 Zvino kwakasimuka mureza wemusasa waRubheni nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naErizuri mwanakomana waShedheuri.
  4008. Num 10:19 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaSimioni paiva naSherumieri mwanakomana waZurishadhai.
  4009. Num 10:20 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaGadhi paiva naEriasafi mwanakomana waDheueri.
  4010. Num 10:21 Zvino kwakasimuka VaKohati, vakatakura imba tsvene; nevamwe vakamisa tabhenakeri vasati vasvika.
  4011. Num 10:22 Zvino kwakasimuka mureza wemusasa wevana vaEfuremu nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naErishama mwanakomana waAmihudhi.
  4012. Num 10:23 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaManase paiva naGamarieri mwanakomana waPedhazuri.
  4013. Num 10:24 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaBhenjamini paiva naAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
  4014. Num 10:25 Zvino kwakasimuka mureza wemusasa wevana vaDhani, vaiva vekupedzisira pamisasa yose nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.
  4015. Num 10:26 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaAsheri paiva naPagieri mwanakomana waOkirani.
  4016. Num 10:27 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaNafutari paiva naAhira mwanakomana waEnani.
  4017. Num 10:28 Uku kusimuka kwevana vaIsraeri nehondo dzavo kana vachifamba.
  4018. Num 10:29 Zvino Mozisi wakati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi: Isu tobva toenda kunzvimbo Jehovha yaakati pamusoro payo: Ndichakupai iyo. Handei nesu, tigokuitirai zvakanaka; nokuti Jehovha wakataura zvakanaka pamusoro paIsraeri.
  4019. Num 10:30 Iye akati kwaari: Handingaendi, asi ndichaenda kunyika yekwedu nekuhama dzangu.
  4020. Num 10:31 Iye ndokuti: Musatisiya henyu, nokuti sezvamunoziva kuti tinodzika sei matende edu murenje, muchava semeso edu.
  4021. Num 10:32 Zvichaitika kuti kana muchifamba nesu, hongu zvichaitika izvo zvakanaka Jehovha zvaachatiitira zvakanaka nazvo, tichakuitirai zvakanaka.
  4022. Num 10:33 Zvino vakabva pagomo raJehovha, rwendo rwemazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikafamba pamberi pavo rwendo rwemazuva matatu, kuvatsvakira nzvimbo yekuzorora.
  4023. Num 10:34 Zvino gore raJehovha raiva pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamusasa.
  4024. Num 10:35 Zvino zvakaitika pakusimuka kweareka, Mozisi wakati: Mukai, Jehovha, kuchaparara vavengi venyu, nevanokuvengai ngavatize pamberi penyu.
  4025. Num 10:36 Zvino pakuzorora kwayo, akati: Dzokai Jehovha, kuzvuru gumi zvezvuru zvaIsraeri.
  4026. Num 11:1 Zvino vanhu vakati vachinyunyuta, zvaiva zvakaipa munzeve dzaJehovha; zvino Jehovha wakati azvinzwa, hasha dzake dzikapfuta; moto waJehovha ndokupfuta pakati pavo, ndokuparadza pamucheto wemusasa.
  4027. Num 11:2 Zvino vanhu vakachema kuna Mozisi; Mozisi ndokunyengetera kuna Jehovha; moto ukadzimwa.
  4028. Num 11:3 Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfuta pakati pavo.
  4029. Num 11:4 Zvino zvaunga zvakasangana zvaiva zviri pakati pavo vakashuva chishuvo; naizvozvo vana vaIsraeri vakachemawo zvekare misodzi ndokuti: Ndiani achatipa nyama kuti tidye?
  4030. Num 11:5 Tinorangarira hove dzatakadya muEgipita pachena, magaka, nemavisi, nerikisi, nehanyanisi, negariki.
  4031. Num 11:6 Asi ikozvino mweya weupenyu wedu unooma, hapana chinhu zvachose, kunze kwemana iyi pamberi pemeso edu.
  4032. Num 11:7 Zvino mana yaiva yakaita sembeu yekorianderi, nekutarisika kwayo kwakaita sekutarisika kwebhedhora.
  4033. Num 11:8 Vanhu vaifamba-famba ndokuunganidza ndokukuya pamakuyo kana kutswa mumaturi, ndokubika muhari, ndokuita makeke nayo; uye kunaka kwayo kwaiita sekunaka kwemuto wemafuta.
  4034. Num 11:9 Kana dova richiwira pamusasa usiku, mana yaiwa pamusoro pawo.
  4035. Num 11:10 Zvino Mozisi wakanzwa vanhu vachichema misodzi padzimba dzavo, umwe neumwe pamukova wetende rake; zvino hasha dzaJehovha dzikapfuta zvikuru; ndokuva zvakaipa pameso aMozisi.
  4036. Num 11:11 Mozisi ndokuti kuna Jehovha: Makarwadzisirei muranda wenyu, uye ndakaregerei kuwana nyasha pameso enyu, kuti muise mutoro wevanhu ava vose pamusoro pangu?
  4037. Num 11:12 Ini ndakatora mimba yevanhu vose ava here? Ndini ndakavabereka here, kuti muti kwandiri: Vatakure pachipfuva chako, semureri wechirume anotakura mwana anoyamwa, uvaise kunyika yamakapikira kumadzibaba avo?
  4038. Num 11:13 Ndichawanepi nyama yekupa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera vachiti: Tipe nyama kuti tidye.
  4039. Num 11:14 Ini handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo.
  4040. Num 11:15 Zvino kana mandiitira saizvozvo, ndiurayei zvekundiuraya henyu, kana ndawana nyasha pameso enyu, ndigorega kuona zvakaipa zvangu.
  4041. Num 11:16 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ndiunganidzire varume makumi manomwe vevakuru vaIsraeri, vaunoziva kuti vakuru vevanhu, nevatariri vavo; ugouya navo kutende rekusangana, kuti vamirepo newe.
  4042. Num 11:17 Zvino ndichaburuka ndigotaura newe ipapo; zvino ndichatsaura kubva pamweya uri pamusoro pako, ndigoisa pamusoro pavo; zvino vachatakura mutoro wevanhu pamwe newe, kuti iwe urege kutakura woga.
  4043. Num 11:18 Zvino uti kuvanhu: Zviitirei vatsvene mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha muchiti: Ndiani achatipa nyama tidye? Nokuti zvaiva zvakatinakira muEgipita. Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, uye muchadya.
  4044. Num 11:19 Hamungadyi zuva rimwe, kwetewo mazuva maviri, kwetewo mazuva mashanu, kwetewo mazuva gumi, kwetewo mazuva makumi maviri.
  4045. Num 11:20 Kusvika pamwedzi wose, kusvika yabuda kumhino dzenyu, ndokusemesa kwamuri; nokuti makaramba Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake muchiti: Takabudirei kubva muEgipita?
  4046. Num 11:21 Asi Mozisi wakati: Vanhu vetsoka vandiri pakati pavo zvuru mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, kuti vadye mwedzi wose!
  4047. Num 11:22 Makwai nemombe zvichabairwa ivo kuti zvivaringane here? Kana vachaunganidzirwa hove dzose dzegungwa kuti dzivaringane here?
  4048. Num 11:23 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ikozvino ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Ikozvino uchaona kana shoko rangu richiitika kwauri kana kwete.
  4049. Num 11:24 Zvino Mozisi wakabuda ndokuudza vanhu mashoko aJehovha; ndokuunganidza varume makumi manomwe vevakuru vevanhu, ndokuvamisa vakakomba tende.
  4050. Num 11:25 Zvino Jehovha wakaburuka mugore ndokutaura kwaari, ndokutsaura pamweya waiva pamusoro pake ndokuupa kuvakuru makumi manomwe; zvino zvakaitika mweya wakati achigara pamusoro pavo vakaporofita, asi havana kuzoitazve.
  4051. Num 11:26 Asi kwakasara varume vaviri pamusasa; zita reumwe raiva Eridhadhi, nezita reumwe Medhadhi; mweya ndokugara pamusoro pavo, nokuti vaiva vari pakati pevakanyorwa, asi havana kubudira kutende; ndokuporofita pamusasa.
  4052. Num 11:27 Zvino kwakamhanya jaya, ndokuudza Mozisi ndokuti: Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamusasa.
  4053. Num 11:28 Zvino Joshua mwanakomana waNuni muranda waMozisi weujaya hwake wakapindura ndokuti: Ishe wangu, Mozisi, vadzivisei.
  4054. Num 11:29 Mozisi ndokuti kwaari: Une godo nekuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, kuti Jehovha aise mweya wake pamusoro pavo!
  4055. Num 11:30 Zvino Mozisi wakadzokera kumusasa, iye nevakuru vaIsraeri.
  4056. Num 11:31 Zvino kwakabuda mhepo kubva kuna Jehovha, ndokuunza zvihuta kubva kugungwa, ndokuwisira pamusasa, panenge rwendo rwezuva kurutivi rumwe, nerwendo rwezuva kune rumwe, kupoteredza musasa; uye zvaiva makubhiti maviri pamusoro penyika.
  4057. Num 11:32 Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, neusiku hwose, nezuva rose raitevera, zvino vakaunganidza zvihuta. Uyo waiva nezvishomasa wakaunganidza mahomeri gumi; vakazvinikira-nikira kumativi ose emusasa.
  4058. Num 11:33 Nyama ichiri pakati pemazino avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira vanhu, Jehovha ndokurova vanhu nehosha huru kwazvo.
  4059. Num 11:34 Naizvozvo wakatumidza zita renzvimbo iyo Kibhuroti-Hatava, nokuti ipapo vakaviga vanhu vakachiva.
  4060. Num 11:35 Vanhu vakasimuka kubva Kibhuroti-Hatava kuenda kuHazeroti; ndokugara paHazeroti.
  4061. Num 12:1 Zvino Miriamu naAroni vakataura vachipokana naMozisi nekuda kwemukadzi muItiyopiya waaiva awana; nokuti waiva awana mukadzi muItiyopiya.
  4062. Num 12:2 Zvino vakati: Zvirokwazvo Jehovha wakataura naMozisi oga here? Haana kutaurawo nesu here? Jehovha ndokuzvinzwa.
  4063. Num 12:3 Zvino murume Mozisi waiva munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva pachiso chenyika.
  4064. Num 12:4 Zvino Jehovha wakataura pakarepo kuna Mozisi nekuna Aroni nekuna Miriamu: Budirai imwi vatatu kutende rekusangana. Vatatu ndokubuda.
  4065. Num 12:5 Zvino Jehovha wakaburuka mushongwe yegore, ndokumira pamukova wetende, ndokudana Aroni naMiriamu; ivo vaviri vakabuda.
  4066. Num 12:6 Zvino wakati: Inzwai ikozvino mashoko angu; kana kune muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye muhope.
  4067. Num 12:7 Muranda wangu Mozisi haana kudaro; wakatendeka paimba yangu yose.
  4068. Num 12:8 Ndinotaura naye muromo nemuromo, uye pachena, uye kwete munhaurwa dzisinganzwisisiki; uye achaona chimiro chaJehovha; naizvozvo sei maiva musingatyi kutaura muchipokana nemuranda wangu, muchipokana naMozisi?
  4069. Num 12:9 Zvino hasha dzaJehovha dzakavapfutira, iye ndokubva.
  4070. Num 12:10 Zvino gore rakabva patende; zvino tarira, Miriamu ava nemaperembudzi, semagada echando; Aroni ndokutarira kuna Miriamu, zvino, tarira ava nemaperembudzi.
  4071. Num 12:11 Zvino Aroni wakati kuna Mozisi: Haiwa, ishe wangu, musaisa henyu chivi pamusoro pedu, chatakaita upenzi nacho uye chatakatadza nacho.
  4072. Num 12:12 Ngaarege kuva sewakafa, anoti kana achibuda mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.
  4073. Num 12:13 Zvino Mozisi wakachema kuna Jehovha achiti: Haiwa Mwari, muporesei henyu.
  4074. Num 12:14 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Dai baba vake vaiva vamuisa mate kwazvo pachiso chake, angadai asina kunyara mazuva manomwe here? Ngaavharirwe panze pemusasa mazuva manomwe, shure kweizvozvo ngaagamuchirwezve.
  4075. Num 12:15 Zvino Miriamu wakavharirwa kunze kwemusasa mazuva manomwe; vanhu ndokusafamba kusvika Miriamu agamuchirwazve.
  4076. Num 12:16 Zvino shure kweizvozvo vanhu vakabva paHazeroti ndokudzika matende murenje reParani.
  4077. Num 13:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4078. Num 13:2 Iwe tuma varume kuti vanoshora nyika yeKenani, yandinopa vana vaIsraeri; utume murume umwe werudzi rumwe nerumwe rwemadzibaba avo, wose ari mutungamiriri pakati pavo.
  4079. Num 13:3 Zvino Mozisi wakavatuma vabva murenje reParani, nekuraira kwaJehovha; vose varume avo vaiva misoro yevana vaIsraeri.
  4080. Num 13:4 Zvino awa mazita avo: Vekurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri.
  4081. Num 13:5 Vekurudzi rwaSimioni, Shafati mwanakomana waHori.
  4082. Num 13:6 Vekurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune.
  4083. Num 13:7 Vekurudzi rwaIsasikari, Igari mwanakomana waJosefa.
  4084. Num 13:8 Vekurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni.
  4085. Num 13:9 Vekurudzi rwaBhenjamini, Paruti mwanakomana waRafu.
  4086. Num 13:10 Vekurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi.
  4087. Num 13:11 Vekurudzi rwaJosefa: Vekurudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.
  4088. Num 13:12 Vekurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari.
  4089. Num 13:13 Vekurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikayeri.
  4090. Num 13:14 Vekurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofusi.
  4091. Num 13:15 Vekurudzi rwaGadhi, Geueri mwanakomana waMaki.
  4092. Num 13:16 Awa mazita evarume Mozisi vaakatuma kunoshora nyika. Mozisi ndokutumidza Hoshea mwanakomana waNuni kuti Joshua.
  4093. Num 13:17 Mozisi ndokuvatuma kunoshora nyika yeKenani, ndokuti kwavari: Kwirai nenzira iyi nechekuchamhembe, mukwire mumakomo;
  4094. Num 13:18 mugonoona nyika, kuti yakadini, nevanhu vanogara mairi, kana vakasimba, kana madera, kana vashoma, kana vazhinji;
  4095. Num 13:19 uye kuti yakadini nyika yavagere mairi, kana yakanaka kana yakaipa; uye kuti akadini maguta avanogara maari, kana mumisasa kana munhare;
  4096. Num 13:20 uye kuti nyika yakadini, kana yakaorera kana chimhamhare, kana mune miti kana kwete; uye mutsunge moyo, ndokutora kubva pachibereko chenyika iyo. Zvino mazuva aiva mazuva ezvibereko zvekutanga zvemazambiringa.
  4097. Num 13:21 Zvino vakakwira vakanoshora nyika, kubva murenje reZini kusvika Rehobhu, pavanopinda Hamati.
  4098. Num 13:22 Zvino vakakwira nekuchamhembe, ndokusvika paHebhuroni; paiva pana Ahimani, Sheshai, naTarimai, vana vaAnaki. Zvino Hebhuroni rakavakwa makore manomwe kutangira Zoani paEgipita.
  4099. Num 13:23 Zvino vakasvika pamupata weEshikori, uye kubva ipapo vakatema davi raiva nesumbu rimwe remazambiringa, vakaritakura padanda pakati pevanhu vaviri; uye vakatora pamapomegiranati nepamaonde.
  4100. Num 13:24 Zvino nzvimbo iyo yakatumidzwa mupata weEshikori nekuda kwesumbu remazambiringa vana vaIsraeri ravakagura kubva ipapo.
  4101. Num 13:25 Zvino vakadzoka kubva kunoshora nyika shure kwemazuva makumi mana.
  4102. Num 13:26 Zvino vakaenda vakasvika kuna Mozisi nekuna Aroni nekuungano yose yevana vaIsraeri, kurenje reParani kuKadheshi, ndokudzosa shoko kwavari nekuungano yose, ndokuvaratidza zvibereko zvenyika iyo.
  4103. Num 13:27 Zvino vakamuudza ndokuti: Takasvika kunyika yamakatituma kwairi; uye zvirokwazvo inoyerera mukaka neuchi; uye izvi ndizvo zvibereko zvayo.
  4104. Num 13:28 Zvakadaro vanhu vakasimba vagere munyika iyo, nemaguta akakombwa nemasvingo, makuru kwazvo; uye takaonapo vana vaAnaki.
  4105. Num 13:29 VaAmareki vagere munyika yechamhembe, nevaHiti nevaJebhusi nevaAmori vagere mumakomo; nevaKenani vagere pagungwa nekurutivi rwaJoridhani.
  4106. Num 13:30 Zvino Karebhu wakanyaradza vanhu pamberi paMozisi ndokuti: Ngatikwire zvekukwira, tidye nhaka yayo, nokuti tinogona kuikunda.
  4107. Num 13:31 Asi varume vakwira naye vakati: Hatigoni kukwirira vanhu avo, nokuti vakasimba kutipfuura.
  4108. Num 13:32 Ndokuuisa shoko rakaipa pamusoro penyika yavaiva vashora kuvana vaIsraeri, vachiti: Nyika yatagura nemairi kuishora inyika inopedza vanhu vanogara mukati mayo; uye vanhu vose vatakaona mairi varume vakakura kwazvo.
  4109. Num 13:33 Zvino takaonapo vanhu vane simba, vana vaAnaki, pavane simba; uye pameso edu taiva takaita semhashu, taiva takadaro nepameso avo.
  4110. Num 14:1 Zvino ungano yose yakasimudza ndokupa inzwi rayo; vanhu ndokuchema usiku ihwohwo.
  4111. Num 14:2 Nevana vaIsraeri vose vakagunun’unira Mozisi naAroni; ungano yose ndokuti kwavari: Dai takafira munyika yeEgipita! Kana: Dai takafira murenje rino!
  4112. Num 14:3 Zvino sei Jehovha akatiuisa kunyika ino, tigowa nemunondo? Vakadzi vedu nevana vedu vachava vadzimbiwa. Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tidzokere kuEgipita here?
  4113. Num 14:4 Zvino vakati umwe kune umwe: Ngatigadzei mutungamiriri, tigodzokera kuEgipita.
  4114. Num 14:5 Mozisi naAroni ndokuwa nezviso zvavo pamberi peboka rose reungano yevana vaIsraeri.
  4115. Num 14:6 NaJoshua mwanakomana waNuni, naKarebhu mwanakomana waJefune, veavo vakanoshora nyika, vakabvarura nguvo dzavo.
  4116. Num 14:7 Ndokutaura kuungano yose yevana vaIsraeri vachiti: Nyika yatakagura mairi kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.
  4117. Num 14:8 Kana Jehovha achifara nesu, ipapo achatiisa kunyika iyi, ndokuipa kwatiri; nyika inoyerera mukaka neuchi.
  4118. Num 14:9 Koga musapandukira Jehovha, uye imwi musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo izvekudya zvedu; mumvuri wavo wabva kwavari, uye Jehovha anesu, musavatya.
  4119. Num 14:10 Asi ungano yose yakataura kuvataka nemabwe. Kubwinya kwaJehovha ndokuonekwa mutende rekusangana kuvana vaIsraeri vose.
  4120. Num 14:11 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Kusvika rinhi vanhu ava vachindizvidza? Uye kusvika rinhi vasinganditendi nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
  4121. Num 14:12 Ndichavarova nedenda, nekuvatorera nhaka, ndikuite rudzi rukuru rune simba pana ivo.
  4122. Num 14:13 Mozisi ndokuti kuna Jehovha: Zvino vaEgipita vachazvinzwa; nokuti makakwidza vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;
  4123. Num 14:14 uye vachaudza vagari venyika ino. Vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pevanhu ava; nokuti imwi Jehovha munoonekwa chiso nechiso, uye gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemwi munovatungamirira masikati mushongwe yegore, nepausiku mushongwe yemoto.
  4124. Num 14:15 Zvino mukauraya vanhu ava semunhu umwe, ndudzi dzakanzwa mukurumbira wenyu dzichataura dzichiti:
  4125. Num 14:16 Nokuti Jehovha wakakonewa kuisa vanhu ava kunyika yaakavapikira, saka akavauraya murenje.
  4126. Num 14:17 Zvino ikozvino ndinokumbira kuti simba raIshe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti:
  4127. Num 14:18 Jehovha anononoka kutsamwa, uye mukuru panyasha, achikanganwira zvakaipa nekudarika, asi haangatongoregeri ane mhosva, anotsiva kuipa kwemadzibaba pavana, parudzi rwechitatu neparwechina.
  4128. Num 14:19 Ndinokumbira, kanganwirai zvakaipa zvevanhu ava seukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Egipita kusvika ikozvino.
  4129. Num 14:20 Jehovha ndokuti: Ndakanganwira maererano neinzwi rako.
  4130. Num 14:21 Asi zvirokwazvo, ndichirarama, nyika yose ichazara nekubwinya kwaJehovha.
  4131. Num 14:22 Nokuti varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu zvandakaita muEgipita nemurenje, vakandiidza kagumi aka, uye vakasateerera inzwi rangu,
  4132. Num 14:23 zvirokwazvo havachaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; uye hakuna umwe wevakandizvidza achaiona.
  4133. Num 14:24 Asi muranda wangu Karebhu, nokuti umwe mweya waiva anaye, ndokunditevera zvakazara, ndichamupinza munyika maakambopinda; nevana vake vachadya nhaka yayo.
  4134. Num 14:25 Zvino vaAmareki nevaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, imwi mubve muende kurenje nenzira yeGungwa Dzvuku.
  4135. Num 14:26 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  4136. Num 14:27 Kusvika rinhi paungano iyi yakaipa inondigunun’unira? Ndakanzwa kugunun’una kwevana vaIsraeri kwavakandigunun’unira nako.
  4137. Num 14:28 Uti kwavari: Ndichirarama, anoreva Jehovha, zvirokwazvo sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.
  4138. Num 14:29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; nevose vakaverengwa venyu, zvichienderana neuwandu hwenyu hwose, kubva pazera remakore makumi maviri zvichikwira, vakandigunun’unira,
  4139. Num 14:30 zvirokwazvo, imwi hamuchapindi munyika yandapikira kukugarisai mairi, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshua mwanakomana waNuni.
  4140. Num 14:31 Asi vana venyu vamakati vachadzimbiwa, ndivo vandichapinza; uye vachaziva nyika yamakaramba.
  4141. Num 14:32 Asi imwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.
  4142. Num 14:33 Zvino vana venyu vachava vafudzi murenje makore makumi mana, vakatakura ufeve hwenyu, kusvika zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.
  4143. Num 14:34 Maererano neuwandu hwemazuva amakashora nawo nyika, mazuva makumi mana, zuva pagore, zuva pagore, muchatakura kuipa kwenyu, makore makumi mana, mugoziva kufuratira kwangu.
  4144. Num 14:35 Ini Jehovha ndakataura: Zvirokwazvo ndichazviita kuungano iyi yose yakaipa, yakaungana kupikisana neni; murenje rino vachaparadzwa, uye vachafirapo.
  4145. Num 14:36 Zvino varume Mozisi vaakatuma kunoshora nyika, vakadzoka ndokuita kuti ungano yose imugunun’unire, nekuuisa nhema dzakaipa pamusoro penyika iyo,
  4146. Num 14:37 avawo varume vakauya nenhema dzakaipa maererano nenyika iyo vakafa nedenda pamberi paJehovha.
  4147. Num 14:38 Asi Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune vakararama pavarume avo vakanoshora nyika.
  4148. Num 14:39 Zvino Mozisi wakareva mashoko awa kuvana vaIsraeri vose; vanhu ndokuungudza kwazvo.
  4149. Num 14:40 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, vakakwira kunhongonya yegomo, vachiti: Tarirai, tiri pano, uye tichakwira kunzvimbo Jehovha yaakataura, nokuti tatadza.
  4150. Num 14:41 Mozisi ndokuti: Munodarikirei murairo waJehovha? Nokuti hazvingabudiriri.
  4151. Num 14:42 Musakwira, nokuti Jehovha haasi pakati penyu; kuti murege kurohwa pamberi pevavengi venyu.
  4152. Num 14:43 Nokuti vaAmareki nevaKenani varipo mberi kwenyu; zvino muchawa nemunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haachavi nemwi.
  4153. Num 14:44 Asi vakazvikudza kukwira kunhongonya yegomo; asi areka yesungano yaJehovha naMozisi hazvina kubuda mukati memusasa.
  4154. Num 14:45 Ipapo vaAmareki nevaKenani vaiva vagere mugomo iro vakaburuka, ndokuvarova nekuvadzingirira kusvika kuHorima.
  4155. Num 15:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4156. Num 15:2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Pamunosvika munyika yeugaro hwenyu, yandinopa kwamuri,
  4157. Num 15:3 mochiita chipo chemoto kuna Jehovha, chipo chinopiswa, kana chibairo chekuzadzisa mhiko, kana pachipo chekuzvidira, kana pamitambo yenyu yakamiswa, kuita hwema hunonhuhwira kuna Jehovha, zvinobva pamombe kana pamakwai,
  4158. Num 15:4 zvino iye anopa chipo chake kuna Jehovha ngaauye nechipo chechidyiwa chechegumi cheefa yeupfu hwakakanyiwa nechechina chehini yemafuta.
  4159. Num 15:5 Nechechina chehini yewaini yechipo chechinwiwa uchazvigadzira nechipo chinopiswa kana chechibairo, chegwayana rimwe.
  4160. Num 15:6 Kana chegondohwe uchagadzira chipo chechidyiwa, zvegumi zviviri zveupfu hwakakanyiwa nechetatu chehini yemafuta.
  4161. Num 15:7 Nechechipo chechinwiwa uchapa chetatu chehini yewaini, zvive hwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  4162. Num 15:8 Zvino kana uchigadzira nzombe diki kuva chipo chinopiswa kana chibairo chekuzadzisa mhiko, kana zvipo zvekuyananisa kuna Jehovha,
  4163. Num 15:9 zvino achapa nenzombe diki chipo chechidyiwa chezvegumi zvitatu zveupfu hwakakanyiwa nehafu yehini yemafuta.
  4164. Num 15:10 Zvino iwe uchauisa hafu yehini yewaini yechipo chechinwiwa, chipo chemoto, chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  4165. Num 15:11 Zvichaitwa saizvozvo panzombe diki imwe, kana kugondohwe rimwe, kana kumbudzana pakati pemakondohwe kana pakati pemakwai.
  4166. Num 15:12 Zvichienderana neuwandu hwamuchagadzira, muchaita saizvozvo kune chimwe nechimwe zvichienderana neuwandu hwazvo.
  4167. Num 15:13 Vose vanoberekerwa munyika vachaita zvinhu izvi nemutoo uyu, pakupa chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  4168. Num 15:14 Zvino kana mweni ari mutorwa pakati penyu, kana ari pakati penyu kusvika kumazera enyu achipa chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha, sezvamunoita, achaita saizvozvo.
  4169. Num 15:15 Kuchava nechimiso chimwe kwamuri cheungano nechemweni agere semutorwa, chimiso nekusingaperi pamazera enyu; sezvamuri mutorwa achava saizvozvo pamberi paJehovha.
  4170. Num 15:16 Murairo umwe netsika imwe zvichava zvenyu nezvemweni agere nemwi semutorwa.
  4171. Num 15:17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4172. Num 15:18 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana masvika kunyika yandinokuisai kwairi,
  4173. Num 15:19 zvino zvichava kuti kana muchidya zvekudya zvenyika iyi, muchapa chipo chinosimudzwa kuna Jehovha.
  4174. Num 15:20 Pane zvekutanga zvemukanyiwa wenyu muchapa keke chive chipo chinosimudzwa; sechipo chinosimudzwa cheburiro, saizvozvo muchachisimudza.
  4175. Num 15:21 Pane zvekutanga zvemukanyiwa wenyu ipai kuna Jehovha chipo chinosimudzwa pamazera enyu.
  4176. Num 15:22 Zvino kana makakanganisa, uye mukasaita mirairo iyo yose, Jehovha yaakataura kuna Mozisi,
  4177. Num 15:23 zvose Jehovha zvaakakurairai neruoko rwaMozisi, kubva pazuva Jehovha raakaraira uye zvichienda mberi pamazera enyu,
  4178. Num 15:24 zvino zvichava kana zvaitwa nekusaziva pasiri pameso eungano, kuti ungano yose ichapa nzombe imwe diki mhuru yemombe ive chipo chinopiswa, ive hwema hunonhuhwira kuna Jehovha, pamwe nechipo chayo chechidyiwa, uye nechipo chacho chechinwiwa, zvichienderana netsika, nembudzana imwe yembudzi ive chipo chezvivi.
  4179. Num 15:25 Zvino mupristi achaitira ungano yose yevana vaIsraeri chiyananiso, uye vachazvikanganwirwa; nokuti kusaziva, uye ivo vachauya nechipo chavo, chipo chemoto kuna Jehovha, nechipo chavo chezvivi pamberi paJehovha, nekuda kwekusaziva kwavo.
  4180. Num 15:26 Zvino zvichakanganwirwa ungano yose yevana vaIsraeri, nemweni agere semutorwa pakati pavo, vanhu vose zvavari mukusaziva.
  4181. Num 15:27 Zvino kana mweya weupenyu umwe neumwe ukatadza nekusaziva, zvino achauya nesheche yembudzi yegore rimwe ive chipo chezvivi.
  4182. Num 15:28 Zvino mupristi achaitira mweya weupenyu uyu wakatadza nekusaziva chiyananiso paakatadza nekusaziva pamberi paJehovha, kumuitira chiyananiso; uye achakanganwirwa.
  4183. Num 15:29 Muchava nemurairo umwe pamusoro peaita chivi nekusaziva, wakaberekerwa panyika pakati pevana vaIsraeri newemweni agere semutorwa pakati pavo.
  4184. Num 15:30 Asi mweya weupenyu unoita maune, kubva kune wakaberekerwa panyika kana kubva pamweni, iyeye akatuka Jehovha; mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pakati pevanhu vekwake.
  4185. Num 15:31 Nokuti wakazvidza shoko raJehovha, ndokuputsa murairo wake; mweya weupenyu uyu uchagurwa kwazvo; kuipa kwake kuri pamusoro pake.
  4186. Num 15:32 Zvino vana vaIsraeri vachiri murenje, vakawana munhu achiunganidza tsotso nezuva resabata.
  4187. Num 15:33 Zvino avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mozisi nekuna Aroni nekuungano yose.
  4188. Num 15:34 Zvino vakamuisa muchitokisi, nokuti kwaiva kusina kurehwa kuti achaitwei.
  4189. Num 15:35 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Munhu uyu zvirokwazvo achaurawa; ungano yose ichamutaka nemabwe kunze kwemusasa.
  4190. Num 15:36 Zvino ungano yose yakamuunza kusvika kunze kwemusasa, ndokumutaka nemabwe, iye ndokufa, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.
  4191. Num 15:37 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4192. Num 15:38 Taura kuvana vaIsraeri, uvaudze kuti vazviitire chaka pamakona enguvo dzavo, pamazera avo, uye kuti vaise pachaka yemakona rwonzi rweruvara rwedenga.
  4193. Num 15:39 Uye chichava kwamuri chaka kuti muitarire, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, ndokuiita; kuti murege kutsvaka muchitevera moyo yenyu muchitevera meso enyu, kwamateverera upombwe;
  4194. Num 15:40 kuti murangarire nekuita mirairo yangu yose, mugova vatsvene kuna Mwari wenyu.
  4195. Num 15:41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita kuva Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
  4196. Num 16:1 Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu, naOni mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora [varume].
  4197. Num 16:2 Ndokusimuka pamberi paMozisi, nevamwe vevana vaIsraeri, machinda mazana maviri nemakumi mashanu eungano, vakasanangurwa veungano, varume vakakurumbira.
  4198. Num 16:3 Vakaunganira kuna Mozisi nekuna Aroni, ndokuti kwavari: Zvawandisa kwamuri, ungano yose zvairi tsvene, umwe neumwe wavo, uye Jehovha ari pakati pavo; zvino munozvikudzirei pamusoro peboka raJehovha?
  4199. Num 16:4 Zvino Mozisi wakati azvinzwa akawira pasi nechiso chake.
  4200. Num 16:5 Ndokutaura kuna Kora nekuboka rake rose achiti: Kuchiidza Jehovha acharatidza kuti ndiani ari wake uye kuti ndiani mutsvene, uye waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, achazomuswededza kwaari.
  4201. Num 16:6 Itai izvi: Zvitorerei hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira, Kora neboka rake rose;
  4202. Num 16:7 muise moto madziri ndokuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro padzo pamberi paJehovha mangwana. Zvino zvichava kuti murume Jehovha waachasarudza achava mutsvene. Zvawandisa kwamuri imwi vanakomana vaRevhi.
  4203. Num 16:8 Zvino Mozisi wakati kuna Kora: Inzwai henyu imwi vanakomana vaRevhi:
  4204. Num 16:9 Chinhu chidiki kwamuri here kuti Mwari waIsraeri wakakuparadzanisai kubva paungano yaIsraeri kukuswededzai kwaari, kuita basa retabhenakeri yaJehovha, nekumira pamberi peungano kuvashandira?
  4205. Num 16:10 Zvino wakakuswededza, nemadzikoma ako ose vanakomana vaRevhi vanewe. Zvino munotsvakawo upristi here?
  4206. Num 16:11 Nekuda kweizvozvi iwe neboka rako maunganira kupikisana naJehovha. Zvino Aroni ndiani zvamunomugunun’unira?
  4207. Num 16:12 Zvino Mozisi wakatuma kunodana Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu. Asi vakati: Hatikwiri.
  4208. Num 16:13 Chinhu chidiki here kuti wakatikwidza kubva munyika inoyerera mukaka neuchi kuti utiurayire murenje; zvino newe wozviita ishe kwazvo pamusoro pedu here?
  4209. Num 16:14 Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka neuchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino ungatumbura meso evarume ava here? Hatikwiri.
  4210. Num 16:15 Zvino Mozisi wakatsamwa kwazvo, ndokuti kuna Jehovha: Musarangarira chipo chavo; handina kutora mbongoro imwe kubva kwavari, uye handina kuitira umwe wavo zvakaipa.
  4211. Num 16:16 Mozisi ndokuti kuna Kora: Iwe neboka rako rose, ivai pamberi paJehovha, iwe naivo naAroni, mangwana.
  4212. Num 16:17 Torai umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, mugoisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira madziri, mugodziuisa pamberi paJehovha, umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira mazana maviri nemakumi mashanu; iwewo naAroni, umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  4213. Num 16:18 Zvino vakatora umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, ndokuisa moto madziri, akaisawo zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro padzo, ndokumira pamukova wetende rekusangana, pamwe naMozisi naAroni.
  4214. Num 16:19 Kora ndokuunganidza ungano yose kupikisana navo pamukova wetende rekusangana. Uye kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa kuungano yose.
  4215. Num 16:20 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  4216. Num 16:21 Zvitsaurei mubude paungano iyi, kuti ndivapedze mukubwaira kweziso.
  4217. Num 16:22 Zvino vakawira pasi nezviso zvavo ndokuti: Mwari, Mwari wemweya yenyama yose, kwatadza munhu umwe, zvino motsamwira ungano yose here?
  4218. Num 16:23 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:
  4219. Num 16:24 Taura kuungano uchiti: Simukai mubve pakapoteredza tabhenakeri yaKora, Dhatani, naAbhiramu.
  4220. Num 16:25 Zvino Mozisi wakasimuka ndokuenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsraeri ndokumutevera.
  4221. Num 16:26 Zvino wakataura kuungano achiti: Ibvai henyu pamatende evarume ava vakaipa, musabata chinhu chavo, zvimwe mungapedzwa muzvivi zvavo zvose.
  4222. Num 16:27 Naizvozvo vakasimuka kubva patabhenakeri yaKora, Dhatani, naAbhiramu kumativi ose; Dhatani naAbhiramu ndokubuda, vakamira pamukova wematende avo, nevakadzi vavo nevana vavo nevana vavo vadiki.
  4223. Num 16:28 Zvino Mozisi akati: Ndizvo zvamuchaziva nazvo kuti Jehovha wakandituma kuita mabasa awa ose; nokuti hazvisi zvepfungwa dzangu.
  4224. Num 16:29 Kana ava vakafa serufu rwevanhu vose, kana vakashanyirwa nekushanyirwa kwevanhu vose, Jehovha haana kundituma.
  4225. Num 16:30 Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, zvino nyika ikashamisa muromo wayo, ndokuvamedza, nezvose zvavo, vakaburukira mugomba vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.
  4226. Num 16:31 Zvino zvakaitika paakapedza kutaura mashoko awa ose, kuti nyika yaiva pasi pavo yakatsemuka.
  4227. Num 16:32 Nyika ndokushamisa muromo wayo, ndokuvamedza, nedzimba dzavo, nevanhu vose vaiva vari vaKora, nenhumbi dzose.
  4228. Num 16:33 Zvino vakanyura mugomba vari vapenyu ivo nezvose zvavo; ivhu rikavafutsira, vakaparara kubva pakati peungano.
  4229. Num 16:34 Zvino Israeri wose waiva akavakomba akatiza pakuchema kwavo, nokuti vakati: Zvimwe nyika ingatimedza.
  4230. Num 16:35 Zvino kwakabuda moto kubva kuna Jehovha, ukaparadza varume mazana maviri nemakumi mashanu vaipisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  4231. Num 16:36 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4232. Num 16:37 Taura kuna Eriazari, mwanakomana waAroni mupristi, kuti anonge hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira pakati pekutsva, iwe ugoparadzira moto kure, nokuti itsvene.
  4233. Num 16:38 Hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvevatadzi ava vanopikisana nemweya yeupenyu yavo, ngavadziite marata akafara ave chifukidziro chearitari; nokuti vakadzipa pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; zvino dzichava chiratidzo kuvana vaIsraeri.
  4234. Num 16:39 Zvino Eriazari mupristi wakatora hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira dzendarira, dzavaipa nadzo ivo vakapiswa, dzikaitwa marata echifukidziro chearitari;
  4235. Num 16:40 chive chirangaridzo kuvana vaIsraeri, kuti mutorwa, asati ari wembeu yaAroni, asaswedera kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi paJehovha, kuti arege kuva saKora uye seboka rake; Jehovha sezvaakataura kwaari neruoko rwaMozisi.
  4236. Num 16:41 Asi chifume ungano yose yevana vaIsraeri yakagunun’unira Mozisi naAroni, vachiti: Imwi makauraya vanhu vaJehovha.
  4237. Num 16:42 Zvino zvakaitika ungano yaungana kupikisana naMozisi nekupikisana naAroni, kuti vakatarisa kutende rekusangana, zvino tarira, gore rakarifukidza, nekubwinya kwaJehovha kwakaonekwa.
  4238. Num 16:43 Mozisi naAroni ndokuuya pamberi petende rekusangana.
  4239. Num 16:44 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:
  4240. Num 16:45 Simukai mubve pakati peungano iyi, kuti ndivapedze sepakubwaira kweziso. Ivo ndokuwira pasi nezviso zvavo.
  4241. Num 16:46 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni: Tora hadyana yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, ugoisamo moto unobva paaritari, nekuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, zvino enda nekukurumidza kuungano, ugovaitira chiyananiso; nokuti kunobuda kutsamwa kubva mberi kwaJehovha; denda ratanga.
  4242. Num 16:47 Aroni ndokuitora Mozisi sezvaaiva ataura, ndokumhanyira mukati meungano, zvino tarira, denda rakatanga pakati pevanhu; iye ndokuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, ndokuitira vanhu chiyananiso.
  4243. Num 16:48 Zvino wakamira pakati pevakafa nevapenyu; denda ndokumiswa.
  4244. Num 16:49 Zvino avo vaiva vafa nedenda vaiva zvuru gumi nezvina nemazana manomwe, pasina vaiva vafa nenyaya yaKora.
  4245. Num 16:50 Zvino Aroni wakadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rekusangana; denda ndokumiswa.
  4246. Num 17:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4247. Num 17:2 Taura kuvana vaIsraeri, ugotora kubva kune umwe neumwe wavo tsvimbo zvichienderana neimba yemadzibaba, pamachinda avo ose zvichienderana neimba yemadzibaba avo, tsvimbo gumi nembiri. Nyora zita reumwe neumwe patsvimbo yake.
  4248. Num 17:3 Zvino uchanyora zita raAroni patsvimbo yaRevhi; nokuti tsvimbo imwe ichava yemusoro weimba yemadzibaba avo.
  4249. Num 17:4 Zvino uchadziisa mutende rekusangana pamberi pechipupuriro, pandinosangana nemwi.
  4250. Num 17:5 Zvino zvichati tsvimbo yemurume wandichasarudza ichabuka, uye ndichagumisa kubva pandiri kugunun’una kwevana vaIsraeri kwavanokugunun’unirai nako.
  4251. Num 17:6 Zvino Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri; nemachinda ose avo akamupa tsvimbo, imwe tsvimbo kune umwe neumwe muchinda, zvichienderana nedzimba dzemadzibaba avo, tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yaiva pakati petsvimbo dzavo.
  4252. Num 17:7 Mozisi ndokuisa tsvimbo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
  4253. Num 17:8 Zvino kwakati chifume Mozisi wakapinda mutende rechipupuriro, zvino tarira, tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakabuka, ndokubudisa mabukira, ndokubudisa maruva, ndokubereka maarimondi.
  4254. Num 17:9 Zvino Mozisi wakabudisira tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha kuvana vaIsraeri vose; zvino vakatarira vakatora umwe neumwe tsvimbo yake.
  4255. Num 17:10 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengeterwe chiratidzo kune vakandipandukira; kuti upedze kugunun’una kwavo kwandiri, kuti vasafa.
  4256. Num 17:11 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakamuraira, ndizvo zvaakaita.
  4257. Num 17:12 Zvino vana vaIsraeri vakataura kuna Mozisi vachiti: Tarira, tofa, topera, topera tose.
  4258. Num 17:13 Umwe neumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha achafa; tichapera kufa kanhi?
  4259. Num 18:1 Zvino Jehovha wakati kuna Aroni: Iwe nevanakomana vako neimba yababa vako pamwe newe muchatakura kuipa kweimba tsvene; uye iwe nevanakomana vako pamwe newe muchatakura kuipa kweupristi hwenyu.
  4260. Num 18:2 Nehama dzako, rudzi rwaRevhi, rudzi rwababa vako, dziswededzewo pamwe newe, kuti vabatanidzwe newe, vakubatsire. Asi iwe nevanakomana vako pamwe newe muchava pamberi petende rechipupuriro.
  4261. Num 18:3 Zvino vachachengeta faniro yako nefaniro yetende rose; asi havangaswederi panhumbi dzeimba tsvene nepaaritari, kuti vasafa, ivo nemwiwo.
  4262. Num 18:4 Zvino vachabatanidzwa newe ndokuchengeta faniro yetende rekusangana, pashumiro yose yetende; asi mweni haaswederi kwauri.
  4263. Num 18:5 Zvino muchachengeta faniro yeimba tsvene, nefaniro yearitari, kuti kusazovazve nekutsamwa pamusoro pevana vaIsraeri.
  4264. Num 18:6 Zvino ini, tarirai, ndakatora hama dzenyu vaRevhi kubva pakati pevana vaIsraeri. Chipo kwamuri, vakapiwa kuna Jehovha kuita shumiro yetende rekusangana.
  4265. Num 18:7 Naizvozvo iwe nevanakomana vako pamwe newe muchachengetedza upristi hwenyu pachinhu chimwe nechimwe chearitari nepachiri mukati mevheiri; zvino muchashumira; ndapa upristi kwamuri seshumiro yechipo; asi mutorwa anoswedera achaurawa.
  4266. Num 18:8 Zvino Jehovha wakataura kuna Aroni achiti: Iniwo, tarira, ndakupa kuchengetedzwa kwechipo changu chinosimudzwa chezvinhu zvose zvitsvene zvevana vaIsraeri; ndizvipe iwe nekuda kwekuzodzwa, nekuvanakomana vako, kuva chimiso chekusingaperi.
  4267. Num 18:9 Izvi zvichava zvako kubva pachitsvene chezvitsvene, kubva pamoto: Zvipo zvavo zvose, zvipo zvavo zvose zvechidyiwa, nezvipo zvavo zvose zvezvivi, nezvipo zvavo zvose zvemhosva, zvavachadzosera kwandiri, zvitsvene zvezvitsvene kwauri nekuvanakomana vako.
  4268. Num 18:10 Muchazvidya panzvimbo tsvene-tsvene; murume umwe neumwe achazvidya; zvichava zvitsvene kwauri.
  4269. Num 18:11 Zvino izvi ndezvako: Chipo chinosimudzwa chechipo chavo nezvipo zvose zvinozunguzirwa zvevana vaIsraeri; ndakazvipa kwauri nekuvanakomana vako nekuvanasikana vako vanewe, nechimiso nekusingaperi; umwe neumwe wakachena mumba mako achazvidya.
  4270. Num 18:12 Zvakanakisisa zvose zvemafuta nezvakanakisisa zvose zvewaini nezvezviyo, zvibereko zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha, ndazvipa kwauri.
  4271. Num 18:13 Zvibereko zvekutanga zvezvose zviri panyika yavo vachauisa kuna Jehovha zvichava zvako; umwe neumwe wakachena mumba mako achachidya.
  4272. Num 18:14 Chose chakasanangurwa kwaIsraeri chichava chako.
  4273. Num 18:15 Chose chinozarura chizvaro panyama yose yavanouisa kuna Jehovha, pavanhu kana pazvipfuwo, zvichava zvako; zvakadaro dangwe remunhu ucharidzikinura zvirokwazvo; nedangwe remhuka isina kuchena ucharidzikinura.
  4274. Num 18:16 Nezvichadzikinurwa uchazvidzikinura kubva pamwanakomana wemwedzi, semaonero ako, nemari yemashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene, riri magera makumi maviri.
  4275. Num 18:17 Asi dangwe remombe kana dangwe regwai kana dangwe rembudzi haungadzikinuri, zvitsvene; uchasasa ropa razvo pamusoro pearitari, nekupisa mafuta azvo chive chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  4276. Num 18:18 Nenyama yazvo ichava yako, sechityu chinozunguzirwa nebandauko rerudyi ndezvako.
  4277. Num 18:19 Zvipo zvose zvinosimudzwa zvezvinhu zvitsvene, vana vaIsraeri zvavanopa kuna Jehovha, ndakapa iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vanewe nechimiso nekusingaperi; isungano yemunyu nekusingaperi pamberi paJehovha, kwauri nekumbeu yako pamwe newe.
  4278. Num 18:20 Zvino Jehovha wakataura kuna Aroni achiti: Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, uye haungavi nemugove pakati pavo; ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pevana vaIsraeri.
  4279. Num 18:21 Zvino tarira ndapa vana vaRevhi chegumi chose paIsraeri kuva nhaka, neshumiro yavo yavanoita, shumiro yetende rekusangana.
  4280. Num 18:22 Zvino vana vaIsraeri ngavarege kuswederazve kutende rekusangana, kutakura chivi ndokufa.
  4281. Num 18:23 Asi vaRevhi vachaita shumiro yetende rekusangana, ivo vachatakura kuipa kwavo; chimiso nekusingaperi pamazera enyu; uye havangavi nenhaka pakati pevana vaIsraeri.
  4282. Num 18:24 Nokuti zvegumi zvevana vaIsraeri zvavanopa kuna Jehovha, zvive chipo chinosimudzwa, ndakazvipa kuvaRevhi kuva nhaka; naizvozvo ndakati kwavari: Havangavi nenhaka pakati pevana vaIsraeri.
  4283. Num 18:25 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4284. Num 18:26 Taura kuvaRevhi seizvi, ugoti kwavari: Kana muchitora kuvana vaIsraeri zvegumi zvandakupai kubva kwavari kuva nhaka yenyu, zvino muchapa Jehovha chipo chinosimudzwa chazvo, chive chegumi chechegumi ichi.
  4285. Num 18:27 Zvino chipo chenyu chinosimudzwa chichaverengerwa kwamuri sezviyo zvepaburiro uye sekuzara kwechisviniro chewaini.
  4286. Num 18:28 Saizvozvo imwiwo muchapa chipo chinosimudzwa chaJehovha pazvegumi zvenyu zvose zvamunogamuchira pavana vaIsraeri; uye muchapa pazviri chipo chinosimudzwa chaJehovha kuna Aroni mupristi.
  4287. Num 18:29 Pazvipo zvenyu zvose muchapa chipo chinosimudzwa chimwe nechimwe chaJehovha, pane zvakanakisisa zvazvo, chikamu chazvo chitsvene kubva pachiri.
  4288. Num 18:30 Naizvozvo uchati kwavari: Kana masimudza chakanakisisa chazvo kubva pazviri, zvichaverengerwa vaRevhi sezvibereko zvepaburiro, uye sezvibereko zvewaini.
  4289. Num 18:31 Zvino muchaidya panzvimbo imwe neimwe, imwi neimba yenyu; nokuti mubairo wenyu weshumiro yenyu mutende rekusangana.
  4290. Num 18:32 Zvino hamungatakuri chivi nekuda kwazvo, kana masimudza pazviri zvakanakisisa zvazvo; uye hamungasvibisi zvinhu zvitsvene zvevana vaIsraeri, zvimwe mungafa.
  4291. Num 19:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:
  4292. Num 19:2 Ichi chimiso chemurairo Jehovha waakaraira achiti: Taura kuvana vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina gwapa, risina chipomerwa pariri, pasina kumboiswa joko pariri.
  4293. Num 19:3 Zvino mucharipa kuna Eriazari mupristi, kuti aribudisire kunze kwemusasa, ndokuriuraya pamberi pechiso chake.
  4294. Num 19:4 Zvino Eriazari mupristi achatora paropa raro nemunwe wake, ndokusasa zveropa raro pakatarisa mberi kwetende rekusangana kanomwe.
  4295. Num 19:5 Zvino kuchapiswa tsiru pamberi pemeso ake; kuchapiswa dehwe raro nenyama yaro neropa raro pamwe nemazvizvi aro.
  4296. Num 19:6 Zvino mupristi achatora rutanda rwemusidhari, nehisopi, nezvitsvuku, ndokukandira pakati pekupiswa kwetsiru.
  4297. Num 19:7 Zvino mupristi achasuka nguvo dzake, uye achashambidza muviri wake mumvura, uye pashure achapinda mumusasa; mupristi agova asina kuchena kusvika madekwani.
  4298. Num 19:8 Neanoripisa achasuka nguvo dzake mumvura, nekushambidza muviri wake mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.
  4299. Num 19:9 Zvino murume wakachena achaunganidza madota etsiru, ndokuaisa kunze kwemusasa panzvimbo yakachena, kuti achengeterwe ungano yevana vaIsraeri, ive mvura yekuparadzanisa; kunatswa kwechivi.
  4300. Num 19:10 Zvino anounganidza madota etsiru achasuka nguvo dzake, agova asina kuchena kusvika madekwani; chichava chimiso nekusingaperi kuvana vaIsraeri nekumweni agere semutorwa pakati pavo.
  4301. Num 19:11 Anogunzva wakafa, chitunha chemweya weupenyu chemunhu upi neupi, achava asina kuchena mazuva manomwe.
  4302. Num 19:12 Iye achazvichenura nayo nezuva retatu, uye nezuva rechinomwe achava wakachena; asi kana asingazvichenuri nezuva retatu, haangavi akachena nezuva rechinomwe.
  4303. Num 19:13 Ani nani anogunzva wakafa, chitunha chemweya weupenyu chemunhu wakafa, akasazvichenura, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; uye mweya weupenyu uyu uchagurwa kubva kwaIsraeri; nokuti mvura yekuparadzanisa haina kusaswa paari, achava asina kuchena; kusachena kwake kuchiri pamusoro pake.
  4304. Num 19:14 Uyu murairo panofa munhu mutende: Umwe neumwe anopinda mutende neumwe neumwe ari mutende achava asina kuchena mazuva manomwe.
  4305. Num 19:15 Nemudziyo umwe neumwe wakashama usina chifunhiro chakasungirwa pauri uchava usina kuchena.
  4306. Num 19:16 Uye ani nani anogunzva wakaurawa mubani nemunondo, kana wakafa, kana pfupa remunhu, kana bwiro, achava asina kuchena mazuva manomwe.
  4307. Num 19:17 Zvino vachatorera asina kuchena pamadota ekupiswa kwekuchenurwa kwechivi, mvura inoyerera igoiswa pamusoro pawo mumudziyo.
  4308. Num 19:18 Zvino murume wakachena achatora hisopi ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende nepamidziyo yose nepavanhu vaivapo nepane akagunzva pfupa kana wakaurawa kana wakafa kana bwiro.
  4309. Num 19:19 Zvino wakachena achasasa pane asina kuchena nezuva retatu nepazuva rechinomwe; zvino nezuva rechinomwe achamuchenura; iye agosuka nguvo dzake nekuzvishambidza mumvura, agova wakachena madekwani.
  4310. Num 19:20 Asi murume asina kuchena akasazvichenura, mweya weupenyu uyu uchagurwa kubva pakati peungano, nokuti wasvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura yekuparadzanisa haina kusaswa paari; haana kuchena.
  4311. Num 19:21 Zvino chichava chimiso nekusingaperi kwavari, kuti anosasa mvura yekuparadzanisa achasuka nguvo dzake; uye anogunzva mvura yekuparadzanisa achava asina kuchena kusvika madekwani.
  4312. Num 19:22 Nechipi nechipi asina kuchena chaanogunzva chichava chisina kuchena; uye mweya weupenyu unochigunzva uchava usina kuchena kusvika madekwani.
  4313. Num 20:1 Ipapo vana vaIsraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nemwedzi wekutanga; vanhu ndokugara muKadheshi; Miriamu ndokufirapo, ndokuvigwapo.
  4314. Num 20:2 Zvino paiva pasina mvura yeungano; zvino vakaunganira Mozisi naAroni.
  4315. Num 20:3 Vanhu ndokupikisana naMozisi, ndokutaura, vachiti: Dai takafa panguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!
  4316. Num 20:4 Makauisirei ungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifiremo?
  4317. Num 20:5 Zvino makatikwidzirei kubva muEgipita, kutiunza panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu kana yemaonde kana yemizambiringa kana yemapomegiranati; uye hapana mvura yekunwa.
  4318. Num 20:6 Zvino Mozisi naAroni vakabva pamberi peungano kuenda kumukova wetende rekusangana ndokuwira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha ndokuonekwa kwavari.
  4319. Num 20:7 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4320. Num 20:8 Tora tsvimbo, ugounganidza ungano, iwe naAroni mukuru wako, mugotaura kudombo pamberi pemeso avo, zvino richapa mvura yaro, uye iwe uchavabudisira mvura kubva padombo, kuti ugopa ungano nezvipfuwo zvavo zvinwe.
  4321. Num 20:9 Zvino Mozisi wakatora tsvimbo kubva pamberi paJehovha sezvaakamuraira.
  4322. Num 20:10 Zvino Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, ndokuti kwavari: Inzwai ikozvino, imwi vapanduki, tichakubudisirai mvura kubva padombo iri here?
  4323. Num 20:11 Zvino Mozisi wakasimudza ruoko rwake, ndokurova dombo kaviri netsvimbo yake; mvura zhinji ndokubuda, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.
  4324. Num 20:12 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti: Nokuti hamuna kunditenda, kundiita mutsvene pameso evana vaIsraeri, naizvozvo hamungapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.
  4325. Num 20:13 Iyi imvura yeMeribha, nokuti vana vaIsraeri vakapikisana naJehovha; zvino akaitwa mutsvene mavari.
  4326. Num 20:14 Zvino Mozisi wakatuma nhume kuna mambo weEdhomu kubva kuKadheshi achiti: Ndizvo zvinoreva munin’ina wako Israeri: Iwe unoziva nhamo dzose dzakatiwira;
  4327. Num 20:15 kuti madzibaba edu akaburukira Egipita, uye takagara muEgipita mazuva mazhinji, vaEgipita ndokutiitira zvakaipa isu nemadzibaba edu.
  4328. Num 20:16 Patakachema kuna Jehovha, wakanzwa inzwi redu, ndokutuma mutumwa ndokutibudisa paEgipita; zvino tarirai, tiri muKadheshi, guta riri pamucheto wemuganhu wenyika yako.
  4329. Num 20:17 Tirege hako tipfuure nepanyika yako; hatingaguri nepaminda, kana nepaminda yemizambiringa; uye hatinganwi mvura yematsime; tichafamba nenzira yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvika tapfuura muganhu wako.
  4330. Num 20:18 Zvino Edhomu wakati kwaari: Haungapfuuri nekwandiri, zvimwe ndingakubudira nemunondo.
  4331. Num 20:19 Vana vaIsraeri ndokuti kwaari: Tichafamba nenzira huru; uye kana ini nezvipfuwo zvangu tikanwa pamvura yako, ipapo ndichapa mutengo wayo; koga ndichapfuura nemakumbo angu pasina chimwe.
  4332. Num 20:20 Iye ndokuti: Haungapfuuri. Zvino Edhomu wakamubudira nevanhu vazhinji uye neruoko rwune simba.
  4333. Num 20:21 Naizvozvo Edhomu wakaramba kutendera Israeri kupfuura nepamuganhu wake. Ipapo Israeri wakatsauka kwaari.
  4334. Num 20:22 Zvino vana vaIsraeri, ungano yose, vakabva paKadheshi vakasvika pagomo reHori.
  4335. Num 20:23 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi nekuna Aroni mugomo reHori, pamucheto wenyika yaEdhomu, achiti:
  4336. Num 20:24 Aroni achaunganidzwa kuvanhu vake; nokuti haangapindi munyika yandakapa vana vaIsraeri, nokuti makapandukira inzwi rangu pamvura yeMeribha.
  4337. Num 20:25 Tora Aroni nemwanakomana wake Eriazari, ugovakwidza pagomo reHori.
  4338. Num 20:26 Zvino ukurure Aroni nguvo dzake, ugodzipfekedza Eriazari mwanakomana wake; zvino Aroni achaunganidzwa kuvanhu vake, uye achafirapo.
  4339. Num 20:27 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakaraira; zvino vakakwira mugomo reHori pamberi pemeso eungano yose.
  4340. Num 20:28 Zvino Mozisi wakakurura Aroni nguvo dzake ndokudzipfekedza Eriazari mwanakomana wake; Aroni ndokufirapo pamusoro wegomo. Mozisi naEriazari ndokuburuka mugomo.
  4341. Num 20:29 Zvino ungano yose yakati yaona kuti Aroni wafa, vakachemera Aroni mazuva makumi matatu, imba yose yaIsraeri.
  4342. Num 21:1 Zvino mambo weAradhi muKenani waiva agere kunyika yekuchamhembe wakanzwa kuti Israeri wouya nenzira yevashori, ipapo akarwisa Israeri, ndokutapa nhapwa kubva kwavari.
  4343. Num 21:2 Israeri ndokupika mhiko kuna Jehovha, ndokuti: Kana mukapa kwazvo vanhu ava muruoko rwangu, ipapo ndichaparadza kwazvo maguta avo.
  4344. Num 21:3 Jehovha ndokuteerera kuinzwi raIsraeri, ndokupa vaKenani kwavari; zvino vakavaparadza chose nemaguta avo; naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo Horima.
  4345. Num 21:4 Zvino vakabva pagomo reHori nenzira yeGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; mweya weupenyu wevanhu ndokuodzwa nekuda kwenzira.
  4346. Num 21:5 Vanhu ndokutaura vachipikisana naMwari uye vachipikisana naMozisi, vakati: Makatikwidzirei kutibudisa muEgipita kuzofira murenje? Nokuti hapana zvekudya uye hapana mvura; zvino mweya weupenyu wedu unosema zvekudya izvi zvisingabatsiri.
  4347. Num 21:6 Zvino Jehovha wakatuma nyoka dzinopisa pakati pevanhu ndokuruma vanhu; vanhu vazhinji vaIsraeri ndokufa.
  4348. Num 21:7 Naizvozvo vanhu vakauya kuna Mozisi ndokuti: Takatadza, nokuti takataura tichipikisa Jehovha nekupikisa imwi; nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri. Mozisi ndokunyengeterera vanhu.
  4349. Num 21:8 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Uzviitire nyoka inopfuta, ugoiisa padanda; zvino zvichaitika kuti umwe neumwe anorumwa paanoitarisa achararama.
  4350. Num 21:9 Zvino Mozisi wakaita nyoka yendarira, ndokuiisa padanda; zvino zvakaitika kuti kana nyoka ikaruma munhu, paanotarisa nyoka yendarira, wakararama.
  4351. Num 21:10 Zvino vana vaIsraeri vakabva ndokudzika matende paObhoti.
  4352. Num 21:11 Zvino vakabva Obhoti ndokudzika matende paIje-Abharimi murenje rakanangana neMoabhu nechekumabvazuva.
  4353. Num 21:12 Vakabvapo vakadzika matende pamupata weZeredhi.
  4354. Num 21:13 Vakabvapo vakadzika matende mhiri kweArinoni rwaiva murenje rwuchibuda kumiganhu yevaAmori; nokuti Arinoni muganhu waMoabhu, pakati paMoabhu nevaAmori.
  4355. Num 21:14 Naizvozvo zvinonzi mubhuku reHondo dzaJehovha: Whahebhi paSufa, nehova dzeArinoni,
  4356. Num 21:15 nemateru ehova dzinosvika kuugaro hweAri, dzinotevedza muganhu waMoabhu.
  4357. Num 21:16 Zvino vakabvapo vakaenda Bheeri; ndiro tsime Jehovha raakareva kuna Mozisi achiti: Unganidza vanhu, zvino ndichavapa mvura.
  4358. Num 21:17 Ipapo Israeri wakaimba rwiyo urwu: Vhaira, iwe tsime; imwi riimbirei.
  4359. Num 21:18 Machinda akachera tsime iri, makurukota evanhu akarichera, nemupi wemurairo, netsvimbo dzawo. Zvino kubva murenje vakaenda Matana;
  4360. Num 21:19 ndokubva Matana kuenda Naharieri; ndokubva Naharieri kuenda Bhamoti;
  4361. Num 21:20 zvino kubva Bhamoti kumupata uri kubani raMoabhu, kunhongonya yePisiga rakatarisa pasi pachiso cherenje.
  4362. Num 21:21 Zvino Israeri wakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori achiti:
  4363. Num 21:22 Rega ndipfuure panyika yako; hatingatsaukiri kuminda kana kuminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yetsime; tichafamba nenzira yamambo kusvika tapfuura pamiganhu yako.
  4364. Num 21:23 Asi Sihoni haana kutendera Israeri kupfuura nepamiganhu yake; asi Sihoni wakaunganidza vanhu vake vose, ndokubudira kunorwa naIsraeri kurenje, zvino wakasvika paJahazi ndokurwa naIsraeri.
  4365. Num 21:24 Zvino Israeri wakamurova nekwakapinza kwemunondo ndokuva mwene wenyika yake, kubva paArinoni kusvika paJabhoki kusvika pavana vaAmoni; nokuti muganhu wevana vaAmoni waiva wakasimba.
  4366. Num 21:25 Zvino Israeri wakatora maguta ose awa; Israeri ndokugara mumaguta ose evaAmori muHeshibhoni nemumisha yaro yose.
  4367. Num 21:26 Nokuti Heshibhoni raiva guta raSihoni mambo wevaAmori; iye waiva arwa namambo wekutanga waMoabhu, ndokutora nyika yake yose kubva muruoko rwake kusvika paArinoni.
  4368. Num 21:27 Naizvozvo vanoshandisa tsumo vanoti: Uyai muHeshibhoni, guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe.
  4369. Num 21:28 Nokuti moto wakabuda muHeshibhoni, murazvo paguta raSihoni, wakaparadza Ari weMoabhu, madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.
  4370. Num 21:29 Une nhamo iwe Moabhu, maparadzwa, haiwa vanhu veKemoshi! Wakapa vanakomana kuva vatizi, nevanasikana vake muutapwa, kuna Sihoni mambo wevaAmori.
  4371. Num 21:30 Takavapfura; Heshibhoni rakaparara kusvika kuDhibhoni; zvino takaaparadza kusvika kuNofa rinosvika kuMedhebha.
  4372. Num 21:31 Israeri ndokugara munyika yevaAmori.
  4373. Num 21:32 Zvino Mozisi wakatuma kunoshora Jazeri; zvino vakatapa misha yaro, ndokudzingira kunze vaAmori vaivapo.
  4374. Num 21:33 Zvino vakadzoka ndokukwira nenzira yeBhashani; Ogi mambo weBhashani ndokuvabudira, iye nevanhu vake vose, kuhondo paEdhirei.
  4375. Num 21:34 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Usamutya, nokuti ndamukumikidza muruoko rwako, nevanhu vake vose, nenyika yake; zvino uchamuitira sezvawakaitira Sihoni mambo wevaAmori waigara paHeshibhoni.
  4376. Num 21:35 Naizvozvo vakamurova nevanakomana vake nevanhu vake vose, kusvika kusina wakapona wakasara kwaari; vakagara nhaka yenyika yake.
  4377. Num 22:1 Zvino vana vaIsraeri vakasimuka ndokudzika matende pamapani eMoabhu kurutivi runo rwaJoridhani paJeriko.
  4378. Num 22:2 Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, wakaona zvose Israeri zvaakaitira vaAmori.
  4379. Num 22:3 Moabhu ndokutya kwazvo chiso chevanhu ava, nokuti vaiva vazhinji; Moabhu ndokuvhunduka nekuda kwevana vaIsraeri.
  4380. Num 22:4 Zvino Moabhu wakati kuvakuru veMidhiani: Zvino boka iri richananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwemafuro. Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori waiva ari mambo waMoabhu panguva iyo.
  4381. Num 22:5 Naizvozvo wakatuma nhume kuna Bharamu mwanakomana waBheori kuPetori iri parwizi rwenyika yevana vevanhu vekwake kunomudana achiti: Tarira kune vanhu vakabuda kubva Egipita, tarira, vakafukidzira chiso chenyika, uye vogara pakanangana neni.
  4382. Num 22:6 Naizvozvo uya hako ikozvino, nditukire vanhu ava; nokuti vane simba kundipfuura; zvimwe tingagona kuvarova uye ndivadzingire kunze kwenyika; nokuti ndinoziva kuti wawaropafadza waropafadzwa, uye wawatuka watukwa.
  4383. Num 22:7 Zvino vakuru vaMoabhu nevakuru vaMidhiani vakabva vane mubairo wekuvuka muruoko rwavo, ndokusvika kuna Bharamu, ndokutaura kwaari mashoko aBharaki.
  4384. Num 22:8 Iye ndokuti kwavari: Rarai pano usiku huno, ndigokudzoserai shoko, Jehovha sezvaachataura kwandiri. Machinda aMoabhu ndokugara naBharamu.
  4385. Num 22:9 Zvino Mwari wakauya kuna Bharamu ndokuti: Varume vaunavo ndivana ani?
  4386. Num 22:10 Bharamu ndokuti kuna Mwari: Bharaki mwanakomana waZipori mambo waMoabhu watuma shoko kwandiri achiti:
  4387. Num 22:11 Tarira, vanhu vakabuda kubva Egipita vakafukidza chiso chenyika; uya ikozvino unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nekuvadzinga.
  4388. Num 22:12 Mwari ndokuti kuna Bharamu: Usaenda navo; usatuka vanhu ava; nokuti vakaropafadzwa.
  4389. Num 22:13 Zvino Bharamu wakamuka mangwanani ndokuti kumachinda aBharaki: Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha aramba kunditendera kuenda nemwi.
  4390. Num 22:14 Zvino machinda aMoabhu akasimuka, ndokuenda kuna Bharaki ndokuti: Bharamu waramba kuenda nesu.
  4391. Num 22:15 Zvino Bharaki wakatumazve zvekare machinda, mazhinji uye anokudzwa kupfuura ivo.
  4392. Num 22:16 Zvino vakasvika kuna Bharamu ndokuti kwaari: Saizvozvo Bharaki mwanakomana waZipori anoti: Usadziviswa hako kuuya kwandiri.
  4393. Num 22:17 Nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, uye ndichaita zvose zvauchareva kwandiri; naizvozvo uya hako, nditukire vanhu ava.
  4394. Num 22:18 Asi Bharamu wakapindura ndokuti kuvaranda vaBharaki: Kana dai Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha negoridhe, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuita zvidiki kana zvikuru.
  4395. Num 22:19 Naizvozvo ikozvino nemwi garai henyu pano usiku huno, kuti ndizive kuti Jehovha achati chiizve kwandiri.
  4396. Num 22:20 Zvino Mwari wakauya kuna Bharamu usiku ndokuti kwaari: Kana varume vakauya kuzokudana, simuka uende navo, asi koga shoko randichataura kwauri, iro uchariita.
  4397. Num 22:21 Zvino Bharamu wakamuka mangwanani ndokuisa chigaro pambongoro hadzi yake ndokuenda nemachinda aMoabhu.
  4398. Num 22:22 Zvino hasha dzaMwari dzakapfuta nokuti wakaenda; mutumwa waJehovha ndokuzviisa munzira kuva muvengi naye. Zvino waiva akatasva mbongoro hadzi yake, nevaranda vake vaviri vanaye.
  4399. Num 22:23 Zvino mbongoro hadzi yakaona mutumwa waJehovha amire munzira, nemunondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro hadzi ndokutsaukira kunze kwenzira, ndokuenda mumunda; Bharamu ndokurova mbongoro hadzi kuitendeusira kunzira.
  4400. Num 22:24 Zvino mutumwa waJehovha wakamira panzira yakamanikana yeminda yemizambiringa, rusvingo kurutivi runo nerusvingo kune rumwe rutivi.
  4401. Num 22:25 Mbongoro hadzi payakaona mutumwa waJehovha yakazvimbandidzira kurusvingo ndokumbandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; iye ndokuirovazve.
  4402. Num 22:26 Zvino mutumwa waJehovha wakaenderera mberi, ndokumira pakamanikana, paiva pasina nzira yekutendeukira kurudyi kana kuruboshwe.
  4403. Num 22:27 Mbongoro hadzi payakaona mutumwa waJehovha yakarara pasi, pasi paBharamu. Zvino hasha dzaBharamu dzakapfuta, ndokurova mbongoro hadzi netsvimbo.
  4404. Num 22:28 Zvino Jehovha wakazarura muromo wembongoro hadzi, iyo ndokuti kuna Bharamu: Ndakakuitirei kuti undirove katatu aka?
  4405. Num 22:29 Bharamu ndokuti kumbongoro hadzi: Nokuti wakandiita chiseko; dai panga pane munondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya ikozvino.
  4406. Num 22:30 Mbongoro hadzi ndokuti kuna Bharamu: Ko ini handizi mbongoro hadzi yako yawakatasva kubva pandakava yako kusvika zuva rino here? Ndakambova netsika yekuramba kukuitirai saizvozvo here? Iye ndokuti: Kwete.
  4407. Num 22:31 Zvino Jehovha wakafukura meso aBharamu, iye ndokuona mutumwa waJehovha amire munzira, nemunondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; zvino wakagwadamisa musoro wake ndokukotamisa chiso chake pasi.
  4408. Num 22:32 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Waroverei mbongoro hadzi yako katatu aka? Tarira, ini ndabuda kuva mudzivisi, nokuti nzira yako yakatsauka kwandiri.
  4409. Num 22:33 Zvino mbongoro hadzi yandiona ndokutsauka mberi kwangu katatu aka; kunze kwekuti yatsauka mberi kwangu, zvirokwazvo ikozvino ndingadai ndakuurayawo, uye ndaichengeta iri mhenyu.
  4410. Num 22:34 Zvino Bharamu wakati kumutumwa waJehovha: Ndatadza, nokuti ndange ndisingazivi kuti umire munzira uchindipikisa; naizvozvo ikozvino, kana zvakaipa pameso ako, ndichadzokera.
  4411. Num 22:35 Zvino mutumwa waJehovha wakati kuna Bharamu: Enda nevarume ava, asi koga shoko randichataura kwauri, ndiro rauchataura. Naizvozvo Bharamu akaenda nemachinda aBharaki.
  4412. Num 22:36 Bharaki akati anzwa kuti Bharamu wasvika, akabuda kunosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, riri pamugumo wemuganhu.
  4413. Num 22:37 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Handina kutuma kwazvo nhume kwauri ndichikudana here? Sei usina kusvika kwandiri? Handigoni kwazvo kukukudza here?
  4414. Num 22:38 Bharamu ndokuti kuna Bharaki: Tarira, ndasvika kwauri. Ikozvino ndinogona kwazvo kutaura chipi nechipi here? Shoko Mwari raanoisa mumuromo mangu ndiro randichataura.
  4415. Num 22:39 Zvino Bharamu wakaenda naBharaki ndokusvika paKiriati-Huzoti.
  4416. Num 22:40 Bharaki ndokubaya nzombe nemakwai ndokutumira kuna Bharamu nekumachinda aiva naye.
  4417. Num 22:41 Zvino zvakaitika mangwanani kuti Bharaki wakatora Bharamu ndokumukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti aone aripo magumo evanhu.
  4418. Num 23:1 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Ndivakire pano aritari nomwe, ugondigadzirira pano nzombe nomwe nemakondohwe manomwe.
  4419. Num 23:2 Bharaki ndokuita Bharamu sezvaakataura; Bharaki naBharamu ndokupa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.
  4420. Num 23:3 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Mira pachipo chako chinopiswa, asi ini ndichaenda; zvimwe Jehovha achauya kuzosangana neni; zvino chinhu chaanondiratidza ndichakuudza. Zvino wakaenda pakakwirira.
  4421. Num 23:4 Zvino Mwari wakasangana naBharamu, iye ndokuti kwaari: Ndagadzira aritari nomwe uye ndapa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.
  4422. Num 23:5 Jehovha ndokuisa shoko mumuromo waBharamu, ndokuti: Dzokera kuna Bharaki ugotaura seizvi.
  4423. Num 23:6 Zvino wakadzokera kwaari, uye tarira, amire pachipo chake chinopiswa, iye nemachinda ose aMoabhu.
  4424. Num 23:7 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Bharaki mambo waMoabhu wakandivinga kubva Siriya, pamakomo ekumabvazuva achiti: Uya nditukire Jakove, uye uya unyombe Israeri.
  4425. Num 23:8 Ini ndingatuka sei Mwari waasina kutuka; uye ndinganyomba sei Jehovha waasina kunyomba?
  4426. Num 23:9 Nokuti kubva panhongonya yemabwe ndinomuona, uye kubva pazvikomo ndinomutarisa; tarira, vanhu vachagara voga, uye havangaverengwi pakati pendudzi.
  4427. Num 23:10 Ndiani angaverenga guruva raJakove, neuwandu hwechechina chaIsraeri? Mweya weupenyu wangu ngaufe rufu rwevakarurama, uye magumo angu ngaave seake!
  4428. Num 23:11 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Wandiitei? Ndakutora kuti utuke vavengi vangu; zvino tarira, wavaropafadza nekuvaropafadza.
  4429. Num 23:12 Zvino wakapindura ndokuti: Handifaniri kuchenjerera kutaura izvo Jehovha zvaanoisa mumuromo mangu here?
  4430. Num 23:13 Zvino Bharaki wakati kwaari: Uya hako neni kune imwe nzvimbo paungavaona kubvapo; uchaona kuguma kwavo chete, uye haungavaoni vose; ugonditukira ivo kubva ipapo.
  4431. Num 23:14 Zvino wakamutora akamuisa mumunda weZofimu, panhongonya yePisiga, ndokuvaka aritari nomwe, ndokupa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.
  4432. Num 23:15 Zvino wakati kuna Bharaki: Mira pano pachipo chako chinopiswa, zvino ini ndichasangana naJehovha uko.
  4433. Num 23:16 Zvino Jehovha wakasangana naBharamu, ndokuisa shoko mumuromo make, ndokuti: Dzokera kuna Bharaki ugotaura seizvi.
  4434. Num 23:17 Zvino asvika kwaari, tarira, amire pachipo chake chinopiswa, nemachinda aMoabhu anaye. Bharaki ndokuti kwaari: Jehovha wataurei?
  4435. Num 23:18 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Simuka Bharaki, ugonzwa; urereke nzeve kwandiri, iwe mwanakomana waZipori:
  4436. Num 23:19 Mwari haasi munhu kuti areve nhema, kana mwanakomana wemunhu kuti ashanduke. Iye wakareva, haangaiti kanhi? Kana wakareva, haangasimbisi kanhi?
  4437. Num 23:20 Tarira, ndagamuchira kuti ndiropafadze; zvino waropafadza, uye handizvidzosi.
  4438. Num 23:21 Haana kutarisira chakaipa kuna Jakove; uye haana kuona kutsauka kuna Israeri; Jehovha Mwari wake anaye, nekudanidzira kwamambo kuri pakati pavo.
  4439. Num 23:22 Mwari wakavabudisa Egipita; ane rakaita sesimba renyati.
  4440. Num 23:23 Zvirokwazvo hakuna un’anga hunopikisa Jakove, kana kuvuka kunopikisa Israeri. Ikozvino zvicharehwa pamusoro paJakove nepamusoro paIsraeri kuti Mwari wakazviita.
  4441. Num 23:24 Tarirai, vanhu vachasimuka seshumbakadzi, vazvisimudze seshumba. Havangarari pasi kusvika vadya chakajimbiwa, uye vanwa ropa revakaurawa.
  4442. Num 23:25 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Zvino usatongovatuka kana kutongovaropafadza.
  4443. Num 23:26 Asi Bharamu wakapindura, ndokuti kuna Bharaki: Handina kukuudza here ndichiti: Zvose Jehovha zvaanotaura, ndizvo zvandichaita?
  4444. Num 23:27 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Uya hako, ndichakuendesa kune imwe nzvimbo; zvimwe zvingarurama pameso aMwari kuti unditukire ivo kubva ipapo.
  4445. Num 23:28 Zvino Bharaki wakatora ndokuisa Bharamu panhongonya yePeori, pakatarisa pasi pachiso cherenje.
  4446. Num 23:29 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe.
  4447. Num 23:30 Bharaki ndokuita Bharamu sezvaakataura, ndokupa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.
  4448. Num 24:1 Zvino Bharamu wakati aona kuti zvakanaka pameso aJehovha kuropafadza Israeri, haana kuendazve sepane dzimwe nguva kusangana neun’anga, asi wakataridza chiso chake kurenje.
  4449. Num 24:2 Zvino Bharamu wakasimudza meso ake ndokuona Israeri agere nemarudzi ake; Mweya waMwari ndokuva pamusoro pake.
  4450. Num 24:3 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, nechirevo chemurume weziso rake rakasvinura.
  4451. Num 24:4 Chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo cheWemasimbaose, achiwa nechiso, uye akasvinudzwa meso ake.
  4452. Num 24:5 Akanaka sei matende ako, Jakove, misha yako, Israeri!
  4453. Num 24:6 Semipata zvakaparadzirwa, semabindu kunhivi dzerwizi, semagavakava Jehovha aakasima, semisidhari pedo nemvura.
  4454. Num 24:7 Mvura inoyerera inobva pazvirongo zvake, nembeu yake zvichava pamvura zhinji; namambo wake achakurira Agagi, neumambo hwake huchazvisimudzira.
  4455. Num 24:8 Mwari akamubudisa kubva Egipita; ane simba serakaita renyati; achadya vahedheni ivo vavengi vake, uye achavhuna mapfupa avo, nekuvabvoora nemiseve yake.
  4456. Num 24:9 Azvambarara, anorara pasi seshumba uye seshumbakadzi; ndiani achamumutsa? Anokuropafadza ngaaropafadzwe, neanokutuka ngaatukwe.
  4457. Num 24:10 Zvino hasha dzaBharaki dzakapfutira Bharamu, iye ndokuzvirova maoko; Bharaki ndokuti kuna Bharamu: Ndakudanira kutuka vavengi vangu, asi tarira, waropafadza nekuropafadza katatu aka.
  4458. Num 24:11 Naizvozvo ikozvino iwe tizira kunzvimbo yako; ndaiti ndichakukudza nekukudza; asi tarira, Jehovha wakudzivirira kurukudzo.
  4459. Num 24:12 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Handina kutaurawo kunhume dzako dzawakatuma kwandiri here ndichiti:
  4460. Num 24:13 Kana Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha negoridhe, handingagoni kudarika murairo waJehovha, kuita zvakanaka kana zvakaipa nemoyo wangu; zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichataura?
  4461. Num 24:14 Zvino ikozvino tarira, ndinoenda kuvanhu vekwangu; uya ndigokuraira kuti vanhu ava vachaitei kuvanhu vekwenyu pamazuva ekupedzisira.
  4462. Num 24:15 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, nechirevo chemurume weziso rakasvinura.
  4463. Num 24:16 Chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, nekuziva zivo yeWekumusoro-soro, anoona chiratidzo cheWemasimbaose, achiwa, uye akasvinudzwa meso ake.
  4464. Num 24:17 Ndichamuona, asi kwete ikozvino; ndichamutarisa, asi kwete pachiri pedo; kuchabuda nyeredzi kubva kuna Jakove, netsvimbo yeushe ichasimuka kubva kuna Israeri; ichabvovora miganhu yaMoabhu, nekuparadza vana vose vaSheti.
  4465. Num 24:18 Zvino Edhomu ichava nhaka yake, neSeiri ichava nhaka yevavengi vake; asi Israeri achaita nesimba.
  4466. Num 24:19 Kuchabva kuna Jakove achatungamirira, uye achaparadza wakasara muguta.
  4467. Num 24:20 Paakatarisa Amareki, wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Amareki ndewekutanga wevahedheni, asi kuguma kwake kuparara nekusingaperi.
  4468. Num 24:21 Paakatarisa vaKeni, wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Hwakasimba ugaro hwako, dendere rako wakariisa paruware.
  4469. Num 24:22 Zvakadaro Kaini achaparadzwa, kusvika Ashuri akutapa.
  4470. Num 24:23 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Haiwa! Ndiani achararama kana Mwari achiita izvi?
  4471. Num 24:24 Zvino zvikepe zvichabva kumahombekombe eKitimi, zvigorwadza Ashuri, nekurwadza Ebheri; naiyewo achaparadzwa nekusingaperi.
  4472. Num 24:25 Zvino Bharamu wakasimuka ndokuenda ndokudzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo nenzira yake.
  4473. Num 25:1 Zvino Israeri wakagara muShitimu, vanhu ndokutanga kuita ufeve nevakunda veMoabhu.
  4474. Num 25:2 Zvino vakadanira vanhu kuzvibairo zvavamwari vavo; vanhu ndokudya, ndokufugamira vamwari vavo.
  4475. Num 25:3 Zvino Israeri wakazvibatanidza naBhaari-Peori; hasha dzaJehovha ndokupfutira Israeri.
  4476. Num 25:4 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tora misoro yose yevanhu, uiremberedze pamberi paJehovha pakatarisana nezuva, kuti kupfuta kwehasha dzaJehovha kudzoke kubva kuna Israeri.
  4477. Num 25:5 Mozisi ndokuti kuvatongi vaIsraeri: Urayai umwe neumwe varume vake vakazvibatanidza naBhaari-Peori.
  4478. Num 25:6 Zvino tarira, munhu wevana vaIsraeri wakauya ndokuuya kuhama dzake nemukadzi muMidhiani pamberi pemeso aMozisi nepamberi pemeso eungano yose yevana vaIsraeri vaiva vachichema pamukova wetende rekusangana.
  4479. Num 25:7 Pinehasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni mupristi paakazviona, wakasimuka kubva pakati peungano ndokutora pfumo muruoko rwake,
  4480. Num 25:8 ndokutevera murume muIsraeri mutende, ndokuvabaya vari vaviri, murume muIsraeri, nemukadzi nemudumbu rake; naizvozvo denda rakamiswa kubva pavana vaIsraeri.
  4481. Num 25:9 Zvino vakafa mudenda iro vaiva zvuru makumi maviri nezvina.
  4482. Num 25:10 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4483. Num 25:11 Pinehasi mwanakomana waEriazari mwanakomana waAroni mupristi wadzora hasha dzangu kubva kuvana vaIsraeri; nokuti waiva neshungu maererano neshungu dzangu pakati pavo, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.
  4484. Num 25:12 Naizvozvo uti: Tarira, ndinomupa sungano yangu yerugare;
  4485. Num 25:13 uye achava nayo, nembeu yake inomutevera, isungano yeupristi husingaperi, nokuti ane shungu naMwari wake, ndokuitira vana vaIsraeri chiyananiso.
  4486. Num 25:14 Zvino zita remurume wekwaIsraeri wakaurawa, wakaurawa pamwe nemukadzi muMidhiani, raiva Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yemadzibaba pakati pevaSimioni.
  4487. Num 25:15 Nezita remukadzi muMidhiani wakaurawa raiva Kozibhi mwanasikana waZuri; iye waiva mukuru wevanhu veimba yemadzibaba paMidhiani.
  4488. Num 25:16 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4489. Num 25:17 Tambudzai vaMidhiani, mugovarova;
  4490. Num 25:18 nokuti vakakutambudzai nemano avo, avakakunyengerai nawo panyaya yaPeori nepanyaya yaKozibhi, mwanasikana wemuchinda wevaMidhiani, hanzvadzi yavo, wakaurawa nezuva redenda panyaya yaPeori.
  4491. Num 26:1 Zvino zvakaitika shure kwedenda, kuti Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Eriazari mwanakomana waAroni mupristi achiti:
  4492. Num 26:2 Tora uwandu hwose hweungano yose yevana vaIsraeri, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, neimba yemadzibaba avo, vose vanogona kubudira kuhondo kwaIsraeri.
  4493. Num 26:3 Zvino Mozisi naEriazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu paJoridhani paJeriko, vachiti:
  4494. Num 26:4 Verengai kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira; Jehovha sezvaakaraira Mozisi nevana vaIsraeri, vakabuda kubva panyika yeEgipita.
  4495. Num 26:5 Rubheni, dangwe raIsraeri: Vanakomana vaRubheni: Hanoki, kwakabva mhuri yevaHanoki; kwaParu mhuri yevaParu;
  4496. Num 26:6 kwaHezironi mhuri yevaHezironi; kwaKarimi mhuri yevaKarimi.
  4497. Num 26:7 Idzi imhuri dzevaRubheni; nevakaverengwa kwavari vaiva zvuru makumi mana nezvitatu nemazana manomwe nemakumi matatu.
  4498. Num 26:8 Nevanakomana vaParu: Eriabhu.
  4499. Num 26:9 Nevanakomana vaEriabhu: Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vaiva vakadanwa veungano, vakapikisa Mozisi naAroni paboka raKora, pavakapikisa Jehovha,
  4500. Num 26:10 nyika ndokushamisa muromo wayo, ndokuvamedza pamwe naKora pakafa boka iro; paya moto pawakaparadza varume mazana maviri nemakumi mashanu, ivo ndokuva chiratidzo.
  4501. Num 26:11 Asi vanakomana vaKora havana kufa.
  4502. Num 26:12 Vanakomana vaSimioni nemhuri dzavo: KwaNemueri kwakabva mhuri yevaNemueri; kwaJamini mhuri yevaJamini; kwaJakini mhuri yevaJakini;
  4503. Num 26:13 kwaZera mhuri yevaZera; kwaShauri mhuri yevaShauri.
  4504. Num 26:14 Idzi imhuri dzevaSimioni, zvuru makumi maviri nezviviri nemazana maviri.
  4505. Num 26:15 Vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: KwaZefoni kwakabva mhuri yevaZefoni; kwaHagi mhuri yevaHagi; kwaShuni mhuri yevaShuni;
  4506. Num 26:16 kwaOzini mhuri yevaOzini; kwaEri mhuri yevaEri;
  4507. Num 26:17 kwaArodhi mhuri yevaArodhi; kwaAreri mhuri yevaAreri.
  4508. Num 26:18 Idzi imhuri dzevanakomana vaGadhi zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi mana nemazana mashanu.
  4509. Num 26:19 Vanakomana vaJudha: Eri naOnani; Eri naOnani ndokufira munyika yeKenani.
  4510. Num 26:20 Zvino vanakomana vaJudha nemhuri dzavo ndeava: KwaShera kwakabva mhuri yevaShera; kwaPerezi mhuri yevaPerezi; kwaZera mhuri yevaZera.
  4511. Num 26:21 Zvino vanakomana vaPerezi vaiva: KwaHezironi kwakabva mhuri yevaHezironi; kwaHamuri mhuri yevaHamuri.
  4512. Num 26:22 Idzi imhuri dzaJudha zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi manomwe nezvitanhatu nemazana mashanu.
  4513. Num 26:23 Vanakomana vaIsasikari nemhuri dzavo: KwaTora kwakabva mhuri yevaTora; kwaPuwa mhuri yevaPuwa;
  4514. Num 26:24 kwaJashubhi mhuri yevaJashubhi; kwaShimironi mhuri yevaShimironi.
  4515. Num 26:25 Idzi imhuri dzaIsasikari zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi matanhatu nezvina nemazana matatu.
  4516. Num 26:26 Vanakomana vaZebhuruni nemhuri dzavo: KwaSeredhi kwakabva mhuri yevaSeredhi; kwaEroni mhuri yevaEroni; kwaJahareeri mhuri yevaJahareeri.
  4517. Num 26:27 Idzi imhuri dzevaZebhuruni zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi matanhatu nemazana mashanu.
  4518. Num 26:28 Vanakomana vaJosefa nemhuri dzavo: Manase naEfuremu.
  4519. Num 26:29 Vanakomana vaManase: KwaMakiri kwakabva mhuri yevaMakiri. Zvino Makiri wakabereka Giriyadhi; kwaGiriyadhi kwakabva mhuri yevaGiriyadhi.
  4520. Num 26:30 Ava vanakomana vaGiriyadhi: KwaJezeri kwakabva mhuri yevaJezeri; kwaHereki mhuri yevaHereki;
  4521. Num 26:31 uye kwaAsirieri mhuri yevaAsirieri; nekwaShekemu mhuri yevaShekemu;
  4522. Num 26:32 uye kwaShemidha mhuri yevaShemidha; nekwaHeferi mhuri yevaHeferi.
  4523. Num 26:33 Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi waiva asina vanakomana, asi vanasikana; uye mazita evanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, Hogira, Mirika, naTiriza.
  4524. Num 26:34 Idzi imhuri dzaManase; uye vakaverengwa vavo, zvuru makumi mashanu nezviviri nemazana manomwe.
  4525. Num 26:35 Ava vanakomana vaEfuremu nemhuri dzavo: KwaShutera kwakabva mhuri yevaShutera; kwaBhekeri mhuri yevaBhekeri; kwaTahani mhuri yevaTahani.
  4526. Num 26:36 Uye ava vanakomana vaShutera: KwaErani kwakabva mhuri yevaErani.
  4527. Num 26:37 Idzi imhuri dzevanakomana vaEfuremu zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi matatu nezviviri nemazana mashanu. Ava vanakomana vaJosefa nemhuri dzavo.
  4528. Num 26:38 Vanakomana vaBhenjamini nemhuri dzavo: KwaBhera kwakabva mhuri yevaBhera; kwaAshibheri mhuri yevaAshibheri; kwaAhirami mhuri yevaAhirami;
  4529. Num 26:39 kwaShefufami mhuri yevaShufami; kwaHufami mhuri yevaHufami.
  4530. Num 26:40 Zvino vanakomana vaBhera vaiva Aridhi naNaamani; kwaAridhi mhuri yevaAridhi; kwaNaamani mhuri yevaNamaani.
  4531. Num 26:41 Ava vanakomana vaBhenjamini nemhuri dzavo; uye vakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu.
  4532. Num 26:42 Ava vanakomana vaDhani nemhuri dzavo: KwaShuhami kwakabva mhuri yevaShuhami. Idzi imhuri dzaDhani nemhuri dzavo.
  4533. Num 26:43 Mhuri dzose dzevaShuhami zvichienderana nevakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi matanhatu nezvina nemazana mana.
  4534. Num 26:44 Vanakomana vaAsheri nemhuri dzavo: KwaJimina kwakabva mhuri yevaJimina; kwaIshivhi mhuri yevaIshivhi; kwaBheria mhuri yevaBheria.
  4535. Num 26:45 Kuvanakomana vaBheria: KwaHebheri kwakabva mhuri yevaHebheri; kwaMarikieri mhuri yevaMarikieri.
  4536. Num 26:46 Zvino zita remwanasikana waAsheri raiva Sera.
  4537. Num 26:47 Idzi imhuri dzevanakomana vaAsheri zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi mashanu nezvitanhatu nemazana mana.
  4538. Num 26:48 Vanakomana vaNafutari nemhuri dzavo: KwaJazeeri kwakabva mhuri yevaJazeri; kwaGuni mhuri yevaGuni;
  4539. Num 26:49 kwaJezeri mhuri yevaJezeri; kwaShiremi mhuri yevaShiremi.
  4540. Num 26:50 Idzi imhuri dzaNafutari zvichienderana nemhuri dzavo; nevakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi mana nezvishanu nemazana mana.
  4541. Num 26:51 Ava ndevakaverengwa vevana vaIsraeri: Zvuru mazana matanhatu nechuru chimwe nemazana manomwe nemakumi matatu.
  4542. Num 26:52 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4543. Num 26:53 Kune ava nyika ichagoverwa kuva nhaka zvichienderana neuwandu hwemazita.
  4544. Num 26:54 Kuvazhinji uchapa nhaka yavo yakawedzerwa uye kuvashoma uchapa nhaka yavo shoma; kune umwe neumwe kuchapiwa nhaka yake zvichienderana nevakaverengwa vake.
  4545. Num 26:55 Zvakadaro nyika ichagoverwa nemujenya; zvichienderana nemazita endudzi dzemadzibaba avo vachagara nhaka.
  4546. Num 26:56 Zvichienderana nemujenya nhaka yawo ichatsaurwa pakati pevazhinji nevashoma.
  4547. Num 26:57 Zvino ava ndevakaverengwa vevaRevhi nemhuri dzavo: KwaGerishoni kwakabva mhuri yevaGerishoni; kwaKohati mhuri yevaKohati; kwaMerari mhuri yevaMerari.
  4548. Num 26:58 Idzi imhuri dzevaRevhi: Mhuri yevaRibhini, mhuri yevaHebhuroni, mhuri yevaMahiri, mhuri yevaMushi, mhuri yevaKora. Kohati ndokubereka Amiramu.
  4549. Num 26:59 Zvino zita remukadzi waAmiramu raiva Jokebhedhi mwanasikana waRevhi, waakaberekera Revhi muEgipita; ndokuberekera Amiramu Aroni naMozisi naMiriamu hanzvadzi yavo.
  4550. Num 26:60 Zvino kuna Aroni kwakaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.
  4551. Num 26:61 Zvino Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakapa moto usingazikanwi pamberi paJehovha.
  4552. Num 26:62 Zvino avo vakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi maviri nezvitatu, vanhurume vose kubva pane ane mwedzi zvichikwira; nokuti havana kuverengwa pakati pevana vaIsraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pevana vaIsraeri.
  4553. Num 26:63 Ava ndevakaverengwa naMozisi naEriazari mupristi, vavakaverenga vana vaIsraeri pamapani aMoabhu, paJoridhani paJeriko.
  4554. Num 26:64 Asi pakati peava paiva pasina murume kubva kune vakaverengwa naMozisi naAroni mupristi, pavakaverenga vana vaIsraeri murenje reSinai.
  4555. Num 26:65 Nokuti Jehovha waiva ati pamusoro pavo: Zvirokwazvo vachafira murenje. Zvino hakuna kusara munhu kwavari kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshua mwanakomana waNuni.
  4556. Num 27:1 Zvino kwakaswedera vanasikana vaZerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGiriyadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa; uye awa mazita evanasikana vake: Mahira, Nowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
  4557. Num 27:2 Zvino vakamira pamberi paMozisi, nepamberi paEriazari mupristi, nepamberi pemachinda, neungano yose, pamukova wetende rekusangana, vachiti:
  4558. Num 27:3 Baba vedu vakafira murenje, asi ivo vaiva vasi pakati peboka revaya vakaunganira kupikisa Jehovha, paboka raKora; asi vakafira muchivi chavo, uye vasina vanakomana.
  4559. Num 27:4 Sei zita rababa vedu richibviswa pakati pemhuri yavo nokuti vaiva vasina vanakomana? Tipei nhaka pakati pehama dzababa vedu.
  4560. Num 27:5 Zvino Mozisi wakaisa nyaya yavo pamberi paJehovha.
  4561. Num 27:6 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4562. Num 27:7 Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura chokwadi; zvirokwazvo uchavapa mugove wenhaka pakati pehama dzababa vavo; uye uchapfuudzira kwavari nhaka yababa vavo.
  4563. Num 27:8 Zvino uchataura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana munhu akafa, uye asina mwanakomana, muchapfuudzira nhaka yake kumwanasikana wake.
  4564. Num 27:9 Zvino kana asina mwanasikana, ipapo muchapa madzikoma nevanin’ina vake nhaka yake.
  4565. Num 27:10 Zvino kana asina madzikoma nevanin’ina, ipapo muchapa madzikoma nevanin’ina vababa vake nhaka yake.
  4566. Num 27:11 Kana baba vake vasina madzikoma nevanin’ina, ipapo muchapa hama yake iri pedo naye yerudzi rwake nhaka yake, uye ichava yake. Zvino chichava chimiso chemutongo pavana vaIsraeri, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  4567. Num 27:12 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Kwira mugomo iri reAbharimu, ugoona nyika yandakapa vana vaIsraeri.
  4568. Num 27:13 Kana waiona, iwewo uchaunganidzwa kuvanhu vako, saAroni mukoma wako wakaunganidzwa;
  4569. Num 27:14 nokuti makapandukira murairo wangu murenje reZini, pakupikisa kweungano, kundiita mutsvene pamberi pemeso avo pamvura. Iyo mvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini.
  4570. Num 27:15 Zvino Mozisi wakataura kuna Jehovha achiti:
  4571. Num 27:16 Jehovha, Mwari wemweya yenyama yose, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi,
  4572. Num 27:17 achabuda pamberi pavo, uye achapinda pamberi pavo, neachavatungamirira vabude, uye achavapinza; kuti ungano yaJehovha isaita semakwai asina mufudzi.
  4573. Num 27:18 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvitorere Joshua, mwanakomana waNuni, murume maari mune Mweya wangu, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake.
  4574. Num 27:19 Zvino muise pamberi paEriazari mupristi uye pamberi peungano yose, ugomupa murairo pamberi pemeso avo.
  4575. Num 27:20 Zvino uchaisa zverukudzo rwako paari, kuti vateerere, ungano yose yevana vaIsraeri.
  4576. Num 27:21 Zvino achamira pamberi paEriazari mupristi, iye achamubvunzira semutongo weUrimi pamberi paJehovha; nemuromo wake vachabuda uye nemuromo wake vachapinda, iye nevana vaIsraeri vose vanaye, uye ungano yose.
  4577. Num 27:22 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakamuraira; zvino akatora Joshua ndokumuisa pamberi paEriazari mupristi, nepamberi peungano yose.
  4578. Num 27:23 Ndokuisa maoko ake pamusoro pake, ndokumupa murairo, Jehovha sezvaakataura neruoko rwaMozisi.
  4579. Num 28:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi, achiti:
  4580. Num 28:2 Raira vana vaIsraeri ugoti kwavari: Chipo changu, chingwa changu chechipo chemoto, hwema hunonhuhwira hwangu, muchachenjerera kupa kwandiri nenguva yacho yakatarwa.
  4581. Num 28:3 Zvino uchati kwavari: Ichi chipo chemoto chamuchapa kuna Jehovha: Makwayana maviri egore rimwe, asina gwapa, zuva rimwe nerimwe, chive chipo chinopiswa nguva dzose.
  4582. Num 28:4 Rimwe gwayana ucharigadzira mangwanani, uye rimwe gwayana ucharigadzira madekwani;
  4583. Num 28:5 nechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka chive chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nechechina chehini yemafuta akasviniwa.
  4584. Num 28:6 Chipo chinopiswa chenguva dzose, chakagadzwa pagomo reSinai kuva hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.
  4585. Num 28:7 Nechipo chacho chezvinwiwa zvichava chechina chehini chegwayana rimwe; uchadururira Jehovha chipo chezvinwiwa zvinodhaka panzvimbo tsvene.
  4586. Num 28:8 Zvino rimwe gwayana ucharigadzira madekwani; sechipo chechidyiwa chemangwanani uye sechipo chechinwiwa chacho uchazvipa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.
  4587. Num 28:9 Uye nezuva resabata makwayana maviri egore rimwe, asina gwapa, nezvegumi zviviri zveupfu hwakatsetseka kuva chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nemafuta, nechipo chacho chechinwiwa;
  4588. Num 28:10 chipo chinopiswa chesabata pasabata racho, pamusoro pechipo chinopiswa nguva dzose, nechipo chacho chechinwiwa.
  4589. Num 28:11 Zvino pakuvamba kwemwedzi yenyu muchapa chipo chinopiswa kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru dzemombe mbiri, negondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe, asina gwapa;
  4590. Num 28:12 nezvegumi zvitatu zveupfu hwakatsetseka chive chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nemafuta, panzombe diki imwe; nezvegumi zviviri zveupfu hwakatsetseka chive chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nemafuta, pagondohwe rimwe;
  4591. Num 28:13 uye ndeichi neichi chegumi cheupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nemafuta, chive chipo chechidyiwa, pagwayana rimwe; chive chipo chinopiswa, hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.
  4592. Num 28:14 Zvino zvipo zvazvo zvechinwiwa zvichava hafu yehini yewaini panzombe diki, nechetatu chehini pagondohwe, nechechina chehini pagwayana; ichi chipo chinopiswa chemwedzi mumwedzi wacho mumwedzi yose yegore.
  4593. Num 28:15 Uye mbudzana yembudzi imwe igadzirwe kuva chipo chezvivi kuna Jehovha, pamusoro pechipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechinwiwa.
  4594. Num 28:16 Zvino pamwedzi wekutanga nezuva regumi nemana remwedzi ipasika kuna Jehovha.
  4595. Num 28:17 Zvino nezuva regumi nemashanu remwedzi uno uchava mutambo: Chingwa chisina kuviriswa chichadyiwa mazuva manomwe.
  4596. Num 28:18 Nezuva rekutanga kuchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda;
  4597. Num 28:19 asi muchapa chibairo chemoto, chipo chinopiswa kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru dzemombe mbiri, negondohwe rimwe, nemakwayana manomwe egore rimwe, zvichava kwamuri zvisina chazvingapomerwa;
  4598. Num 28:20 nechipo chazvo chechidyiwa, upfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; muchapa nezvegumi zvitatu panzombe diki, nezvegumi zviviri pagondohwe.
  4599. Num 28:21 Icho neicho chegumi muchapa pagwayana rimwe, pamakwayana manomwe;
  4600. Num 28:22 nenhongo imwe chive chipo chezvivi, kukuitirai chiyananiso.
  4601. Num 28:23 Muchapa izvi kusingaverengwi chipo chinopiswa mangwanani chiri chechipo chinopiswa chenguva dzose.
  4602. Num 28:24 Nenzira iyi muchagadzira zuva rimwe nerimwe, mazuva manomwe, chidyiwa chechipo chemoto, hwema hunonhuhwira kuna Jehovha; chichapiwa pamusoro pechipo chinopiswa nguva dzose, nechipo chacho chechinwiwa.
  4603. Num 28:25 Zvino pazuva rechinomwe muchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda.
  4604. Num 28:26 Uye nezuva rezvibereko zvekutanga, pamunouisa chipo chechidyiwa chitsva kuna Jehovha, pamavhiki enyu, muchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda.
  4605. Num 28:27 Asi muchapa chipo chinopiswa kuva hwema hunonhuhwira kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru dzemombe mbiri, gondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe;
  4606. Num 28:28 nechipo chazvo chechidyiwa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; zvegumi zvitatu panzombe diki imwe, zvegumi zviviri pagondohwe rimwe;
  4607. Num 28:29 icho neicho chegumi pagwayana rimwe, pamakwayana manomwe;
  4608. Num 28:30 mbudzana yembudzi imwe, kukuitirai chiyananiso.
  4609. Num 28:31 Muchagadzira izvi kusingaverengwi chipo chinopiswa nguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa; zvive zvisina gwapa kwamuri, nezvipo zvako zvechinwiwa.
  4610. Num 29:1 Zvino mumwedzi wechinomwe nerekutanga remwedzi muchava neungano yakadanwa tsvene; hamungaiti chero basa revaranda; izuva rekuridza hwamanda kwamuri.
  4611. Num 29:2 Zvino muchagadzira chipo chinopiswa, chive hwema hunonhuhwira kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru yemombe imwe, gondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe asina gwapa;
  4612. Num 29:3 nechipo chazvo chechidyiwa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvegumi zvitatu panzombe diki, zvegumi zviviri pagondohwe,
  4613. Num 29:4 nechegumi chimwe pagwayana rimwe, pamakwayana manomwe;
  4614. Num 29:5 nembudzana imwe yembudzi, chipo chezvivi, kukuitirai chiyananiso;
  4615. Num 29:6 kusingaverengwi chipo chinopiswa chemwedzi, nechipo chacho chechidyiwa, nechipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, zvichienderana netsika yazvo, chive hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.
  4616. Num 29:7 Zvino nezuva regumi remwedzi uyu wechinomwe muchava neungano yakadanwa tsvene; uye mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu; musaita chero basa.
  4617. Num 29:8 Asi muchapa chipo chinopiswa kuna Jehovha, chive hwema hunonhuhwira: Nzombe diki mhuru yemombe imwe, gondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe; zvive zvisina chipomerwa kwamuri;
  4618. Num 29:9 nechipo chazvo chechidyiwa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; zvegumi zvitatu panzombe diki, zvegumi zviviri pagondohwe rimwe;
  4619. Num 29:10 icho neicho chegumi pagwayana rimwe, pamakwayana manomwe;
  4620. Num 29:11 mbudzana imwe yembudzi, chipo chezvivi; kusingaverengwi chipo chezvivi chekuyananisa, nechipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvezvinwiwa.
  4621. Num 29:12 Zvino nezuva regumi nemashanu remwedzi wechinomwe muchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda; uye muchachengetedzera Jehovha mutambo mazuva manomwe.
  4622. Num 29:13 Zvino muchapa chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha, nzombe diki mhuru dzemombe gumi nenhatu, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe; zvichava zvisina chazvingapomerwa;
  4623. Num 29:14 nechipo chazvo chechidyiwa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; zvegumi zvitatu panzombe diki imwe, panzombe diki gumi nenhatu; zvegumi zviviri pagondohwe rimwe, pamakondohwe maviri;
  4624. Num 29:15 neichi neichi chegumi pagwayana rimwe, pamakwayana gumi nemana;
  4625. Num 29:16 nembudzana imwe yembudzi, chipo chezvivi; kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, chipo chacho chechidyiwa, nechipo chacho chechinwiwa.
  4626. Num 29:17 Zvino nezuva repiri: Nzombe diki mhuru dzemombe gumi nembiri, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe asina chaangapomerwa,
  4627. Num 29:18 nechipo chazvo chechidyiwa nezvipo zvazvo zvechinwiwa zvenzombe diki, zvemakondohwe, nezvemakwayana, zvinoenderana neuwandu hwazvo setsika yazvo;
  4628. Num 29:19 nembudzana imwe yembudzi, chipo chezvivi; kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa.
  4629. Num 29:20 Uye nezuva retatu, nzombe diki gumi neimwe, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe asina chaangapomerwa,
  4630. Num 29:21 nechipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, panzombe diki, pamakondohwe, nepamakwayana, zvichienderana neuwandu hwazvo, setsika yazvo;
  4631. Num 29:22 nenhongo imwe, chipo chezvivi, kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa, nechipo chacho chechinwiwa.
  4632. Num 29:23 Uye nezuva rechina, nzombe diki gumi, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe asina chaangapomerwa;
  4633. Num 29:24 chipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, panzombe diki, pamakondohwe, nepamakwayana, zvichienderana neuwandu hwazvo, setsika yazvo;
  4634. Num 29:25 nembudzana imwe yembudzi, chipo chezvivi, kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, chipo chacho chechidyiwa, nechipo chacho chechinwiwa.
  4635. Num 29:26 Uye nezuva reshanu, nzombe diki pfumbamwe, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe asina chaangapomerwa;
  4636. Num 29:27 nechipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, panzombe diki, pamakondohwe, nepamakwayana, zvichienderana neuwandu hwazvo, setsika yazvo;
  4637. Num 29:28 nenhongo imwe, chipo chezvivi, kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa, nechipo chacho chechinwiwa.
  4638. Num 29:29 Uye nezuva retanhatu, nzombe diki sere, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe asina chaangapomerwa,
  4639. Num 29:30 nechipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, panzombe diki, pamakondohwe, nepamakwayana, zvichienderana neuwandu hwazvo, setsika yazvo;
  4640. Num 29:31 nenhongo imwe, chipo chezvivi, kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, chipo chacho chechidyiwa, nezvipo zvacho zvechinwiwa.
  4641. Num 29:32 Uye nezuva rechinomwe, nzombe diki nomwe, makondohwe maviri, makwayana gumi nemana egore rimwe asina chaangapomerwa;
  4642. Num 29:33 nechipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, panzombe diki, pamakondohwe, nepamakwayana, zvichienderana neuwandu hwazvo, setsika yazvo;
  4643. Num 29:34 nenhongo imwe, chipo chezvivi, kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, chipo chacho chechidyiwa, nechipo chacho chechinwiwa.
  4644. Num 29:35 Nezuva rerusere muchava neungano yakadzama; musaita chero basa revaranda.
  4645. Num 29:36 Asi muchapa chipo chinopiswa, chipo chemoto, hwema hunonhuhwira kuna Jehovha: Nzombe imwe diki, gondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe asina chipomerwa;
  4646. Num 29:37 chipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa, panzombe diki, pagondohwe, nepamakwayana, zvichienderana neuwandu hwazvo, setsika yazvo;
  4647. Num 29:38 nenhongo imwe, chipo chezvivi, kusingaverengwi chipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa, nechipo chacho chechinwiwa.
  4648. Num 29:39 Izvi muchazviitira Jehovha pamitambo yenyu yakatarwa, kusingaverengwi mhiko dzenyu, nezvipo zvenyu zvekuzvidira, pazvipo zvenyu zvinopiswa, nepazvipo zvenyu zvechidyiwa, nepazvipo zvenyu zvechinwiwa, nepazvipo zvenyu zvekuyananisa.
  4649. Num 29:40 Mozisi ndokuudza vana vaIsraeri sezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi.
  4650. Num 30:1 Zvino Mozisi wakataura kuvakuru vemarudzi evana vaIsraeri achiti: Ichi chinhu Jehovha chaakaraira:
  4651. Num 30:2 Kana murume achivimbisa chivimbiso kuna Jehovha kana kupika mhiko kusunga mweya weupenyu wake nechisungo, haangadariki shoko rake; achaita zvinoenderana nezvose zvinobuda mumuromo make.
  4652. Num 30:3 Kana mukadziwo akavimbisa chivimbiso kuna Jehovha, ndokuzvisunga nechisungo mumba mababa vake paudiki hwake;
  4653. Num 30:4 baba vake ndokunzwa chivimbiso chake nechisungo chake chaakasunga mweya weupenyu wake nacho, baba vake ndokumunyararira, ipapo zvivimbiso zvake zvose zvichamira, nechisungo chipi nechipi chaakasunga mweya wake nacho chichamira.
  4654. Num 30:5 Asi kana baba vake vakamurambidza nezuva ravanonzwa naro, hakuna chimwe chezvivimbiso zvake kana chezvisungo zvake chaakasunga mweya weupenyu wake nacho chichamira; uye Jehovha achamukanganwira, nokuti baba vake vakamurambidza.
  4655. Num 30:6 Zvino kana achitongova nemurume, nezvivimbiso zvake zviri pamusoro pake, kana shoko rekusafungisisa remiromo yake, asunge naro mweya weupenyu wake,
  4656. Num 30:7 murume wake ndokunzwa, ndokumunyararira nezuva raanonzwa naro, ipapo zvivimbiso zvake zvichamira, nezvisungo zvake zvaakasunga nazvo mweya weupenyu wake zvichamira.
  4657. Num 30:8 Asi kana murume wake akamurambidza nezuva raanonzwa naro, ipapo iye achashaisa basa chivimbiso chiri paari neshoko rekusafungisisa remiromo yake, raakasunga naro mweya weupenyu wake, uye Jehovha achamukanganwira.
  4658. Num 30:9 Asi chivimbiso chechirikadzi, nechewakarambiwa, chose chaakasunga mweya weupenyu wake nacho chichamirisana naye.
  4659. Num 30:10 Zvino kana akavimbisa ari mumba memurume wake, kana kusunga mweya weupenyu wake nechisungo nemhiko,
  4660. Num 30:11 murume wake ndokunzwa, ndokumunyararira, asingamurambidzi, ipapo zvivimbiso zvake zvose zvichamira, nechisungo chipi nechipi chaanosunga nacho mweya weupenyu wake chichamira.
  4661. Num 30:12 Asi kana murume wake akazvishaisisa basa nezuva raanonzwa naro, chose chinobuda mumiromo yake maererano nezvivimbiso zvake kana maererano nechisungo chemweya weupenyu wake hazvingamiri; murume wake wazvishaisa basa; uye Jehovha achamukanganwira.
  4662. Num 30:13 Chivimbiso chimwe nechimwe, nemhiko imwe neimwe yechisungo kurwadzisa mweya weupenyu, murume wake angazvisimbisa, kana murume wake angazvishaisa basa.
  4663. Num 30:14 Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva nezuva, ipapo anosimbisa zvivimbiso zvake zvose kana zvisungo zvake zvose zviri pamusoro pake; anozvisimbisa nokuti anomunyararira nezuva raanonzwa naro.
  4664. Num 30:15 Asi kana akatongozvishaisa basa shure kwekunge anzwa, achatakura uipi hwake.
  4665. Num 30:16 Izvi zvimiso Jehovha zvaakaraira Mozisi, pakati pemurume nemukadzi wake, pakati pababa nemwanasikana wavo, paudiki hwake mumba mababa vake.
  4666. Num 31:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi, achiti:
  4667. Num 31:2 Tsiva kutsiva kwevana vaIsraeri kuvaMidhiani; shure kweizvozvo uunganidzwe kuvanhu vekwako.
  4668. Num 31:3 Mozisi ndokutaura kuvanhu achiti: Varume venyu vashongere zvombo hondo kuti vamirisane nevaMidhiani, vagoita kutsiva kwaJehovha kuvaMidhiani.
  4669. Num 31:4 Tumirai kuhondo churu kurudzi rumwe nerumwe rwemarudzi ose aIsraeri.
  4670. Num 31:5 Zvino kwakapiwa kubva pazvuru zvekwaIsraeri churu parudzi, zvuru gumi nezviviri zvakashongera zvombo hondo.
  4671. Num 31:6 Mozisi ndokuvatuma kuhondo churu parudzi rumwe nerumwe, ivo naPinehasi mwanakomana waEriazari mupristi, kuenda kuhondo, vane nhumbi tsvene nehwamanda dzekuridzisa mhere muruoko rwake.
  4672. Num 31:7 Zvino vakarwa vakamirisana nevaMidhiani, Jehovha sezvaakaraira Mozisi; zvino vakauraya vanhurume vose.
  4673. Num 31:8 Vakaurayawo madzimambo evaMidhiani, kusingaverengwi vakaurawa vavo vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu evaMidhiani; naBharamu mwanakomana waBheori, vakamuuraya nemunondo.
  4674. Num 31:9 Vana vaIsraeri ndokutapa vakadzi vevaMidhiani nevanana vavo; ndokupamba mombe dzavo dzose nemakwai avo ose nefuma yavo yose.
  4675. Num 31:10 Zvino vakapisa nemoto maguta avo ose mavaiva vagere, nemisasa yavo yose.
  4676. Num 31:11 Zvino vakatora zvakapambiwa zvose, nezvakajimbiwa zvose, zvevanhu nezvezvipfuwo.
  4677. Num 31:12 Vakauya nevatapwa nezvakajimbiwa nezvakapambiwa kuna Mozisi nekuna Eriazari mupristi nekuungano yevana vaIsraeri, kumusasa pamapani aMoabhu, ari paJoridhani paJeriko.
  4678. Num 31:13 Zvino Mozisi naEriazari mupristi nemachinda ose eungano vakabuda kunosangana navo kusvika kunze kwemusasa.
  4679. Num 31:14 Zvino Mozisi wakatsamwira vatariri vehondo, vakuru vezvuru nevakuru vemazana vaibva kumauto ehondo.
  4680. Num 31:15 Mozisi ndokuti kwavari: Makarega here vanhukadzi vose kuti vararame?
  4681. Num 31:16 Tarirai, ndivo vakaita vana vaIsraeri kubudikidza nezano raBharamu kuti vaite chitadzo kuna Jehovha panyaya yaPeori, denda ndokuvapo pakati peungano yaJehovha.
  4682. Num 31:17 Naizvozvo zvino urayai munhurume umwe neumwe pakati pevanana, mugouraya mukadzi umwe neumwe wakaziva murume nekurara nemunhurume;
  4683. Num 31:18 asi vanana vose pakati pevanhukadzi vasina kuziva murume nekurara naye, muzviregere vararame.
  4684. Num 31:19 Zvino imwi, dzikai musasa kunze kwemusasa mazuva manomwe, ani nani wakauraya munhu, uye ani nani wakagunzva wakaurawa, muzvichenure pazuva retatu nepazuva rechinomwe, imwi nevatapwa venyu.
  4685. Num 31:20 Zvino chenurai nguvo imwe neimwe, nechimwe nechimwe chinhu chedehwe, nebasa rose remvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvematanda.
  4686. Num 31:21 Eriazari mupristi ndokuti kuvarume vehondo vaiva vabuda kuhondo: Ichi chimiso chemurairo Jehovha waakaraira Mozisi:
  4687. Num 31:22 Koga goridhe, nesirivha, ndarira, dare, tini, nemutobvu,
  4688. Num 31:23 chinhu chimwe nechimwe chingapinda mumoto muchachipfuudza nemumoto chigova chakachena; zvakadaro chichachenurwa nemvura yekuparadzanisa. Uye chose chisingapindi mumoto muchachipfuudza nemumvura.
  4689. Num 31:24 Zvino muchasuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, mugova vakachena; zvino pashure muchapinda mumusasa.
  4690. Num 31:25 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4691. Num 31:26 Tora uwandu hwose hwezvijimbiwa zvakapambiwa, hwevanhu nehwezvipfuwo, iwe naEriazari mupristi, nemisoro yemadzibaba eungano.
  4692. Num 31:27 Uparadzanise zvakajimbiwa muzvikamu zviviri; pakati pevanobata hondo vakabudira hondo, nepakati peungano yose.
  4693. Num 31:28 Zvino teresera Jehovha mutero kuvarume vehondo vakabudira kuhondo: Mweya weupenyu umwe kumazana mashanu, kuvanhu, nekumombe, nekumbongoro, nekumakwai.
  4694. Num 31:29 Uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Eriazari mupristi, chipo chinosimudzwa chaJehovha.
  4695. Num 31:30 Nepahafu yevana vaIsraeri uchatora chikamu chimwe pamakumi mashanu, pavanhu, pamombe, pambongoro, nepamakwai, pazvipfuwo zvose, ugozvipa kuvaRevhi vanochengeta faniro yetabhenakeri yaJehovha.
  4696. Num 31:31 Zvino Mozisi naEriazari mupristi vakaita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  4697. Num 31:32 Zvino zvakapambiwa, musarirwa wezvakatapwa varume vehondo zvavaiva vabata zvaiva makwai zvuru mazana matanhatu nezvuru makumi manomwe nezvuru zvishanu,
  4698. Num 31:33 nemombe zvuru makumi manomwe nezviviri,
  4699. Num 31:34 nembongoro zvuru makumi matanhatu nechuru chimwe.
  4700. Num 31:35 Zvino mweya yevanhu, kubva pavakadzi vaiva vasina kuziva kurara nemunhurume, mweya yose yaiva zvuru makumi matatu nezviviri.
  4701. Num 31:36 Zvino hafu, mugove wevakabudira kuhondo, pauwandu yaiva makwai zvuru mazana matatu nezvuru makumi matatu nezvinomwe nemazana mashanu.
  4702. Num 31:37 Nemutero waJehovha wemakwai waiva mazana matanhatu nemakumi manomwe nemashanu.
  4703. Num 31:38 Nemombe dzaiva zvuru makumi matatu nezvitanhatu; nemutero waJehovha uri makumi manomwe nembiri.
  4704. Num 31:39 Nembongoro dzaiva zvuru makumi matatu nemazana mashanu; nemutero waJehovha uri makumi matanhatu neimwe.
  4705. Num 31:40 Zvino mweya yevanhu yaiva zvuru gumi nezvitanhatu; nemutero waJehovha uri mweya makumi matatu nemiviri.
  4706. Num 31:41 Mozisi ndokupa mutero, chipo chinosimudzwa chaJehovha, kuna Eriazari mupristi, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  4707. Num 31:42 Nepahafu yevana vaIsraeri, Mozisi yaakakamura kuvarume vakarwa.
  4708. Num 31:43 Zvino hafu yeungano yemakwai yaiva makwai zvuru mazana matatu nemakumi matatu nezvuru zvinomwe nemazana mashanu,
  4709. Num 31:44 nemombe zvuru makumi matatu nezvuru zvitatu,
  4710. Num 31:45 nembongoro zvuru makumi matatu nemazana mashanu,
  4711. Num 31:46 nemweya yevanhu zvuru gumi nezvitanhatu.
  4712. Num 31:47 Nepahafu yevana vaIsraeri Mozisi wakatora chikamu chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu nekuzvipfuwo, ndokuzvipa kuvaRevhi vaichengeta faniro yetabhenakeri yaJehovha, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  4713. Num 31:48 Zvino vatariri vaiva pamusoro pezvuru zvehondo, vakuru vezvuru, nevakuru vemazana vakaswedera kuna Mozisi,
  4714. Num 31:49 zvino vakati kuna Mozisi: Varanda venyu vatora uwandu hwose hwevarume vehondo vari pasi peruoko rwedu, uye hakuna munhu asipo kwatiri.
  4715. Num 31:50 Naizvozvo tauya nechipo chaJehovha, umwe neumwe zvaakawana, chinhu chegoridhe, uketani, nechindori, mhete, dhikauzi, nechishongo chemuhuro, kuitira mweya yeupenyu yedu chiyananiso pamberi paJehovha.
  4716. Num 31:51 Mozisi naEriazari mupristi ndokugamuchira kwavari goridhe, zvishongo zvose zvakaitwa neunyanzvi.
  4717. Num 31:52 Negoridhe rose rechipo chavakapa Jehovha, chevakuru vezvuru nechevakuru vemazana, raiva mashekeri zvuru gumi nezvitanhatu nemazana manomwe nemakumi mashanu.
  4718. Num 31:53 Varume vehondo vaiva vatora zvakapambiwa, uyo neuyo zvake.
  4719. Num 31:54 Mozisi naEriazari mupristi ndokugamuchira goridhe kuvakuru vezvuru nevemazana, vakariisa mutende rekusangana, chive chirangaridzo kuvana vaIsraeri pamberi paJehovha.
  4720. Num 32:1 Zvino vana vaRubheni nevana vaGadhi vaiva neuwandu ukuru-kuru hwemombe; pavakaona nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, zvino tarira, nzvimbo inzvimbo yemombe.
  4721. Num 32:2 Naizvozvo vana vaGadhi nevana vaRubheni vakauya vakataura kuna Mozisi nekuna Eriazari mupristi nekumachinda eungano vachiti:
  4722. Num 32:3 Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreare neSebhami neNebho neBheoni,
  4723. Num 32:4 nyika Jehovha dzaakarova pamberi peungano yaIsraeri, inyika yemombe; uye varanda venyu vane mombe.
  4724. Num 32:5 Naizvozvo vakati: Kana takawana nyasha pameso enyu, nyika ino ngaipiwe kuvaranda venyu, ive yavo; musatiyambusa Joridhani.
  4725. Num 32:6 Zvino Mozisi wakati kuvana vaGadhi nekuvana vaRubheni: Hama dzenyu dzichaenda kuhondo here, imwi mugogara pano?
  4726. Num 32:7 Zvino munoodzerei moyo wevana vaIsraeri varege kuyambukira kunyika Jehovha yaakavapa?
  4727. Num 32:8 Vakaita saizvozvo madzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi-Bharineya kunoona nyika.
  4728. Num 32:9 Pavakakwira kumupata weEshikori ndokuona nyika, vakaodza moyo wevana vaIsraeri, kuti vasapinda munyika Jehovha yaaiva avapa.
  4729. Num 32:10 Hasha dzaJehovha ndokupfuta nezuva iroro, zvino akapika achiti:
  4730. Num 32:11 Zvirokwazvo varume vakakwira kubva muEgipita, kubva pamakore makumi maviri zvichikwira havachaoni nyika yandakapikira Abhurahama, Isaka, naJakove, nokuti havana kunditevera zvakakwana;
  4731. Num 32:12 kunze kwaKarebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti vakatevera Jehovha zvakakwana.
  4732. Num 32:13 Zvino hasha dzaJehovha dzakapfutira Israeri, ndokuvadzungairisa murenje makore makumi mana, kusvika raparadzwa zera rose raiva raita zvakaipa pameso aJehovha.
  4733. Num 32:14 Zvino tarirai, mamuka panzvimbo yemadzibaba enyu, chizvarwa chevanhu vanotadza, kuwedzerazve kutsamwa kunopfuta kwaJehovha kuna Israeri.
  4734. Num 32:15 Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, achavasiyazve zvekare murenje; uye muchaparadza vanhu ava vose.
  4735. Num 32:16 Zvino vakaswedera kwaari ndokuti: Tichavaka pano matanga ezvipfuwo zvedu, nemaguta evanana vedu;
  4736. Num 32:17 asi isu tichazvigadzirira kurwa, takagadzirira pamberi pevana vaIsraeri, kusvika tavasvitsa kunzvimbo yavo; nevanana vedu vachagara mumaguta akashoshewa, nekuda kwevagari venyika.
  4737. Num 32:18 Hatingadzokeri kumisha yedu kusvika vana vaIsraeri vagara nhaka, umwe neumwe nhaka yake.
  4738. Num 32:19 Nokuti hatingagari nhaka pamwe navo mhiri kwaJoridhani nemberi; nokuti nhaka yedu yauya kwatiri nechekuno kwaJoridhani nechekumabvazuva.
  4739. Num 32:20 Zvino Mozisi wakati kwavari: Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashongera kurwa pamberi paJehovha,
  4740. Num 32:21 uye mayambuka Joridhani umwe neumwe akashongera kurwa kwamuri, pamberi paJehovha, kusvika adzinga vavengi vake pamberi pake,
  4741. Num 32:22 nyika ndokuiswa pasi pamberi paJehovha; ipapo pashure muchadzoka, mugova vasina mhosva kuna Jehovha nekuna Israeri; zvino nyika ino ichava nhaka yenyu pamberi paJehovha.
  4742. Num 32:23 Asi kana musingaiti saizvozvo, tarirai munenge matadzira Jehovha; zivai kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.
  4743. Num 32:24 Zvivakirei misha yevanana venyu, nematanga emakwai enyu; uye itai zvinobuda mumuromo menyu.
  4744. Num 32:25 Zvino vana vaGadhi nevana vaRubheni vakataura kuna Mozisi vachiti: Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wangu.
  4745. Num 32:26 Vanana vedu, vakadzi vedu, zvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose zvichavapo mumaguta eGiriyadhi;
  4746. Num 32:27 asi varanda venyu vachayambuka, umwe neumwe akashongera kurwa pamberi paJehovha kuhondo, sezvakataura tenzi wangu.
  4747. Num 32:28 Naizvozvo Mozisi wakaraira pamusoro pavo Eriazari mupristi, naJoshua mwanakomana waNuni, nevakuru vemadzibaba emarudzi evana vaIsraeri.
  4748. Num 32:29 Mozisi ndokuti kwavari: Kana vana vaGadhi nevana vaRubheni vakayambuka nemwi Joridhani, umwe neumwe wakashongera kurwa pamberi paJehovha, zvino nyika ikaiswa pasi pamberi penyu, ipapo muchavapa nyika yeGiriyadhi kuva yavo.
  4749. Num 32:30 Asi kana vasingayambuki nemwi vakashongera kurwa, vachava nenhaka pakati penyu panyika yeKenani.
  4750. Num 32:31 Zvino vana vaGadhi nevana vaRubheni vakapindura vachiti: Zvakareva Jehovha kuvaranda venyu, tichaita saizvozvo.
  4751. Num 32:32 Isu tichayambuka takashongera kurwa pamberi paJehovha kunyika yeKenani, kuti fuma yenhaka yedu ive yedu nechekuno kwaJoridhani.
  4752. Num 32:33 Zvino Mozisi wakavapa, ivo vana vaGadhi, nevana vaRubheni, nehafu yerudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni mambo wevaAmori, neushe hwaOgi mambo weBhashani, nyika nemaguta ayo mumiganhu, maguta enyika yakapoteredza.
  4753. Num 32:34 Zvino vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,
  4754. Num 32:35 neAtiroti-Shofani, neJazeri, neJogibheha,
  4755. Num 32:36 neBheti-Nimura, neBheti-Harani, maguta akashoshewa, nematanga emakwai.
  4756. Num 32:37 Zvino vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreare, neKiriataimi,
  4757. Num 32:38 neNebho, neBhaari-Meoni (kwashandurwa zita), neSibhima; vakatumidza mazita maguta avakavaka amwe mazita.
  4758. Num 32:39 Zvino vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaenda Giriyadhi, vakaritapa, ndokudzinga vaAmori vaiva mariri.
  4759. Num 32:40 Mozisi ndokupa Makiri mwanakomana waManase Giriyadhi; iye ndokugaramo.
  4760. Num 32:41 Zvino Jairi mwanakomana waManase wakaenda akatapa misha yavo, ndokuitumidza Havhoti-Jairi.
  4761. Num 32:42 Zvino Nobha wakaenda akatapa Kenati, nemisha yaro, ndokuritumidza Nobha, nezita rake.
  4762. Num 33:1 Idzi inzendo dzevana vaIsraeri vakabuda munyika yeEgipita nemauto avo neruoko rwaMozisi naAroni.
  4763. Num 33:2 Zvino Mozisi wakanyora kubuda kwavo nenzendo dzavo zvichienderana nekuraira kwaJehovha. Uye idzi inzendo dzavo nekubuda kwavo.
  4764. Num 33:3 Zvino vakabva paRamesesi nemwedzi wekutanga nezuva regumi nemashanu remwedzi wekutanga; chifume chepasika vana vaIsraeri vakabuda neruoko rwakakwirira pamberi pemeso evaEgipita vose,
  4765. Num 33:4 VaEgipita pavaiviga Jehovha vaakarova pakati pavo, matangwe ose; uye pamusoro pavamwari vavo Jehovha wakaita mitongo.
  4766. Num 33:5 Zvino vana vaIsraeri vakabva paRamesesi ndokudzika matende paSukoti.
  4767. Num 33:6 Zvino vakabva paSukoti ndokudzika matende paEtami riri pamucheto werenje.
  4768. Num 33:7 Zvino vakabva paEtami ndokudzokera Pi-Hahiroti riri pamberi peBhaari-Sefoni ndokudzika matende pamberi peMigidhori.
  4769. Num 33:8 Zvino vasimuka kubva pamberi pePi-Hahiroti ndokugura nepakati pegungwa kupinda murenje, ndokufamba rwendo rwemazuva matatu murenje reEtami, ndokudzika matende paMara.
  4770. Num 33:9 Zvino vakabva paMara ndokusvika paErimi; uye paErimi paiva nezvitubu gumi nezviviri zvemvura, nemiti yemichindwe makumi manomwe; zvino vakadzika matende ipapo.
  4771. Num 33:10 Zvino vakabva paErimi ndokudzika matende paGungwa Dzvuku.
  4772. Num 33:11 Zvino vakabva paGungwa Dzvuku ndokudzika matende murenje reSini.
  4773. Num 33:12 Zvino vakabva murenje reSini ndokudzika matende paDhofika.
  4774. Num 33:13 Zvino vakabva paDhofika ndokudzika matende paArushi.
  4775. Num 33:14 Zvino vakabva paArushi ndokudzika matende paRefidhimu paiva pasina mvura yekuti vanhu vanwe.
  4776. Num 33:15 Zvino vakabva paRefidhimu ndokudzika matende murenje reSinai.
  4777. Num 33:16 Zvino vakabva murenje reSinai ndokudzika matende paKibhuroti-Hatava.
  4778. Num 33:17 Zvino vakabva paKibhuroti-Hatava ndokudzika matende paHazeroti.
  4779. Num 33:18 Zvino vakabva paHazeroti ndokudzika matende paRitima.
  4780. Num 33:19 Zvino vakabva paRitima ndokudzika matende paRimoni-Perezi.
  4781. Num 33:20 Zvino vakabva paRimoni-Perezi ndokudzika matende paRibhina.
  4782. Num 33:21 Zvino vakabva paRibhina ndokudzika matende paRisa.
  4783. Num 33:22 Zvino vakabva paRisa ndokudzika matende paKeherata.
  4784. Num 33:23 Zvino vakabva paKeherata ndokudzika matende pagomo reSheferi.
  4785. Num 33:24 Zvino vakabva pagomo reSheferi ndokudzika matende paHaradha.
  4786. Num 33:25 Zvino vakabva paHaradha ndokudzika matende paMakeroti.
  4787. Num 33:26 Zvino vakabva paMakeroti ndokudzika matende paTahati.
  4788. Num 33:27 Zvino vakabva paTahati ndokudzika matende paTera.
  4789. Num 33:28 Zvino vakabva paTera ndokudzika matende paMitika.
  4790. Num 33:29 Zvino vakabva paMitika ndokudzika matende paHashimona.
  4791. Num 33:30 Zvino vakabva paHashimona ndokudzika matende paMoseroti.
  4792. Num 33:31 Zvino vakabva paMoseroti ndokudzika matende paBhene-Jakani.
  4793. Num 33:32 Zvino vakabva paBhene-Jakani ndokudzika matende paHori-Hagidhigadhi.
  4794. Num 33:33 Zvino vakabva paHori-Hagidhigadhi ndokudzika matende paJotibhata.
  4795. Num 33:34 Zvino vakabva paJotibhata ndokudzika matende paAbhurona.
  4796. Num 33:35 Zvino vakabva paAbhurona ndokudzika matende paEziyoni-Gebheri.
  4797. Num 33:36 Zvino vakabva paEziyoni-Gebheri ndokudzika matende murenje reZini, rinova Kadheshi.
  4798. Num 33:37 Zvino vakabva paKadheshi ndokudzika matende pagomo reHori, pamucheto wenyika yeEdhomu.
  4799. Num 33:38 Zvino Aroni mupristi wakakwira pagomo reHori pakuraira kwaJehovha ndokufirapo, mugore remakumi mana shure kwekubuda kwevana vaIsraeri munyika yeEgipita, nemwedzi weshanu, nerekutanga remwedzi.
  4800. Num 33:39 Zvino Aroni waiva nemakore zana nemakumi maviri nematatu pakufa kwake pagomo reHori.
  4801. Num 33:40 Zvino mambo weAradhi muKenani waigara kuchamhembe munyika yeKenani, wakanzwa zvekuuya kwevana vaIsraeri.
  4802. Num 33:41 Zvino vakabva pagomo reHori ndokudzika matende paZarimona.
  4803. Num 33:42 Zvino vakabva paZarimona ndokudzika matende paPunoni.
  4804. Num 33:43 Zvino vakabva paPunoni ndokudzika matende paObhoti.
  4805. Num 33:44 Zvino vakabva paObhoti ndokudzika matende paIye-Abharimi pamuganhu weMoabhu.
  4806. Num 33:45 Zvino vakabva paIyimi ndokudzika matende paDhibhoni-Gadhi.
  4807. Num 33:46 Zvino vakabva paDhibhoni-Gadhi ndokudzika matende paArimoni-Dhibhurataimi.
  4808. Num 33:47 Zvino vakabva paArimoni-Dhibhurataimi ndokudzika matende pamakomo eAbharimi pamberi peNebho.
  4809. Num 33:48 Zvino vakabva pamakomo eAbharimi ndokudzika matende pamapani eMoabhu paJoridhani paJeriko.
  4810. Num 33:49 Ndokudzika matende paJoridhani kubva paBheti-Jeshimoti kusvika paAbheri-Shitimu pamapani aMoabhu.
  4811. Num 33:50 Zvino Jehovha wakataura naMozisi pamapani eMoabhu paJoridhani paJeriko achiti:
  4812. Num 33:51 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana mayambuka Joridhani mukaenda munyika yeKenani,
  4813. Num 33:52 ipapo muchadzinga vagari vose venyika pamberi penyu, nekuparadza mifananidzo yavo yose, nekuparadza zvifananidzo zvavo zvose zvakaumbwa nekunyungudusa, nekuputsa kwazvo nzvimbo dzavo dzose dzakakwirira.
  4814. Num 33:53 Zvino muchagara nhaka yenyika iyo ndokugaramo, nokuti ndakupai nyika iyo kuigara nhaka.
  4815. Num 33:54 Uye imwi muchazvigarira nhaka yenyika iyo nemujenya, nemhuri dzenyu; kuvazhinji muchawedzera nhaka yavo, uye kuvashoma muchatapudza nhaka yavo; uko kuchabudira mujenya kune umwe munhu, ichava yake; munofanira kugara nhaka nemarudzi emadzibaba enyu.
  4816. Num 33:55 Asi kana musingadzingi vagari venyika pamberi penyu, ipapo zvichaitika kuti ivo vamunorega kwavari vachava zvibayo pameso enyu, neminzwa panhivi dzenyu, vacharatidza ruvengo kwamuri munyika mamugere.
  4817. Num 33:56 Uye zvichaitika kuti ndichakuitirai sezvandakafunga kuvaitira.
  4818. Num 34:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4819. Num 34:2 Raira vana vaIsraeri ugoti kwavari: Pamunosvika munyika yeKenani, iyi ichava nyika inowira kwamuri kuva nhaka, nyika yeKenani nemiganhu yayo.
  4820. Num 34:3 Zvino rutivi rwenyu rwechamhembe rwuchava kubva murenje reZini, kumativi eEdhomu. Zvino uchava muganhu wenyu wekuchamhembe kubva pamuganhu wegungwa remunyu nechekumabvazuva.
  4821. Num 34:4 Muganhu wenyu uchashanduka kubva kuchamhembe kumukwidza weAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini; nekubuda kwawo kwaiva kubva kuchamhembe kweKadheshi-Bharineya; zvino uchapfuura kuHazari-Adhari, ugopfuurira kuAzimoni.
  4822. Num 34:5 Zvino muganhu uchashanduka kubva paAzimoni kuenda kurukova rweEgipita, uye kubuda kwawo kuchava mugungwa.
  4823. Num 34:6 Maererano nemuganhu wekumavirazuva, gungwa guru richava muganhu wenyu; ndiro richava muganhu wenyu kumavirazuva.
  4824. Num 34:7 Zvino uyu uchava muganhu wenyu wekumaodzanyemba: Kubva pagungwa guru muchazvitarira gomo reHori;
  4825. Num 34:8 kubva pagomo reHori muchatara unoenda pakupinda paHamati; uye kubuda kwemuganhu kuende paZedhadhi.
  4826. Num 34:9 Zvino muganhu uchabuda kuenda kuZifuroni, uye kubuda kwawo kuchava paHazari-Enani; uyu uchava muganhu wenyu wekumaodzanyemba.
  4827. Num 34:10 Zvino muchatara muganhu wenyu wekumabvazuva kubva paHazari-Enani kusvika paShefami.
  4828. Num 34:11 Zvino muganhu uchaburuka kubva paShefami kusvika paRibhira kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke usvike kumucheto wegungwa reKinereti kumabvazuva.
  4829. Num 34:12 Zvino muganhu uchaburukira kuJoridhani, nekubuda kwayo kuchava pagungwa remunyu. Iyi ichava nyika yenyu nemiganhu yayo yakaipoteredza.
  4830. Num 34:13 Zvino Mozisi wakaraira vana vaIsraeri achiti: Iyi inyika yamuchagara nhaka nemujenya, Jehovha yaakaraira kupa kumarudzi mapfumbamwe nehafu yerudzi.
  4831. Num 34:14 Nokuti rudzi rwevana vevaRubheni zvichienderana neimba yemadzibaba avo, nerudzi rwevana vevaGadhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo vakagamuchira; nehafu yerudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo.
  4832. Num 34:15 Marudzi maviri nehafu yerudzi akagamuchira nhaka yawo nechekuno kwaJoridhani, paJeriko nechekumabvazuva kwakananga kunobuda nako zuva.
  4833. Num 34:16 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4834. Num 34:17 Awa mazita evarume vachakugoverai nhaka yenyika: Eriazari mupristi naJoshua mwanakomana waNuni.
  4835. Num 34:18 Zvino muchatora muchinda umwe kurudzi rumwe nerumwe kugovera nhaka yenyika.
  4836. Num 34:19 Zvino awa mazita evarume ava: Kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune.
  4837. Num 34:20 Nekurudzi rwevana vaSimioni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi.
  4838. Num 34:21 Kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi.
  4839. Num 34:22 Nekurudzi rwevana vaDhani, muchinda Bhuki mwanakomana waJogiri.
  4840. Num 34:23 Kuvana vaJosefa, kurudzi rwevana vaManase, muchinda Hanieri mwanakomana waEfodhi.
  4841. Num 34:24 Nekurudzi rwevana vaEfuremu, muchinda Kemueri mwanakomana waShifitani.
  4842. Num 34:25 Nekurudzi rwevana vaZebhuruni, muchinda Erizafani mwanakomana waPanaki.
  4843. Num 34:26 Nekurudzi rwevana vaIsasikari, muchinda Paritieri mwanakomana waAzani.
  4844. Num 34:27 Nekurudzi rwevana vaAsheri, muchinda Ahihudhi mwanakomana waSheromi.
  4845. Num 34:28 Nekurudzi rwevana vaNafutari, muchinda Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.
  4846. Num 34:29 Ava ndivo Jehovha vaakaraira kutsaurira vana vaIsraeri nhaka munyika yeKenani.
  4847. Num 35:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi mumapani eMoabhu paJoridhani paJeriko achiti:
  4848. Num 35:2 Raira vana vaIsraeri kuti vape kuvaRevhi panhaka yefuma yavo maguta ekugara; uye muchapa kuvaRevhi mafuro emaguta akaapoteredza.
  4849. Num 35:3 Zvino vachava nemaguta ekugara; nemafuro awo achava emombe dzavo uye efuma yavo uye ezvipfuwo zvavo zvose.
  4850. Num 35:4 Zvino mafuro emaguta amuchapa vaRevhi achava kubva parusvingo rweguta uye nechekunze makubhiti churu kumativi ose.
  4851. Num 35:5 Zvino muchayera nechekunze kweguta kurutivi rwekumabvazuva makubhiti zvuru zviviri, uye kurutivi rwekuchamhembe makubhiti zvuru zviviri, nekurutivi rwekumavirira makubhiti zvuru zviviri, uye kurutivi rwekumaodzanyemba makubhiti zvuru zviviri, uye guta rive pakati. Awa achava mafuro avo emaguta.
  4852. Num 35:6 Zvino pamaguta amuchapa kuvaRevhi pachava nemaguta matanhatu eutiziro amuchapa, kuti muurayi atizireko; uye pamusoro pawo mupe maguta makumi mana nemaviri.
  4853. Num 35:7 Maguta ose amuchapa kuvaRevhi achava maguta makumi mana nemasere, iwo nemafuro awo.
  4854. Num 35:8 Zvino maguta amuchapa pafuma yevana vaIsraeri, kubva pazhinji muchatora zhinji, uye kubva pashoma muchatora shoma; umwe neumwe zvichienderana nenhaka yake yaachagara, achapa zvemaguta ake kuvaRevhi.
  4855. Num 35:9 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
  4856. Num 35:10 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana mayambuka Joridhani kuenda munyika yeKenani,
  4857. Num 35:11 zvino muchazvigadzirira maguta, achava maguta enyu eutiziro, kuti muurayi atizireko, anorova munhu kwete nemaune.
  4858. Num 35:12 Zvino achava kwamuri maguta eutiziro kubva kumutsivi, kuti muurayi asafa, kusvika amira pamberi peungano pakutongwa.
  4859. Num 35:13 Nemaguta amuchapa, achava maguta enyu matanhatu eutiziro.
  4860. Num 35:14 Muchapa maguta matatu nechekuno kwaJoridhani, uye muchapa maguta matatu munyika yeKenani, ave maguta eutiziro.
  4861. Num 35:15 Maguta awa matanhatu achava utiziro hwevana vaIsraeri nehwemweni uye hwemutorwa ari pakati pavo, kuti ani nani anouraya munhu kwete nemaune atizireko.
  4862. Num 35:16 Zvino kana akamurova nechombo chedare zvekuti afe, muurayi; muurayi achaurawa zvirokwazvo.
  4863. Num 35:17 Zvino kana akamurova nebwe muruoko raangafa naro, ndokufa, muurayi; muurayi achaurawa zvirokwazvo.
  4864. Num 35:18 Kana akamurova nechombo chedanda muruoko chaangafa nacho, ndokufa, muurayi; muurayi achaurawa zvirokwazvo.
  4865. Num 35:19 Mutsivi weropa ndiye achauraya muurayi; paanosangana naye, iye achamuuraya.
  4866. Num 35:20 Zvino kana akamusunda neruvengo, kana akamupotsera nekuhwandira, akafa,
  4867. Num 35:21 kana neruvengo akamurova neruoko rwake, akafa, wakamurova achaurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa achauraya muurayi paanosangana naye.
  4868. Num 35:22 Asi kana akamusundidzira nekukurumidza pasina ruvengo, kana akamupotsera chero chinhu pasina kuhwandira,
  4869. Num 35:23 kana nebwe ripi neripi raangafa naro, asingaoni, akariwisira paari, akafa, asiri muvengi wake, uye asina kutsvaka kuipa kwake,
  4870. Num 35:24 zvino ungano ichatonga pakati pemuurayi nemutsivi weropa zvichienderana nemitongo iyi.
  4871. Num 35:25 Zvino ungano ichanunura muurayi kubva muruoko rwemutsivi weropa; uye ungano ichamudzosera kuguta rake reutiziro kwaaiva atizira; zvino achagaramo kusvika pakufa kwemupristi mukuru, wakazodzwa nemafuta matsvene.
  4872. Num 35:26 Asi kana muurayi akatongobuda kumuganhu weguta rake reutiziro kwaaiva atizira,
  4873. Num 35:27 mutsivi weropa akamuwana kunze kwemuganhu weguta reutiziro hwake, mutsivi weropa achauraya muurayi; iye haangavi nemhosva yeropa.
  4874. Num 35:28 Nokuti angadai akagara muguta reutiziro hwake kusvika pakufa kwemupristi mukuru; asi shure kwekufa kwemupristi mukuru, muurayi achadzokera kunyika yenhaka yake.
  4875. Num 35:29 Zvino izvi zvichava murairo wemutongo kwamuri pamazera enyu paugaro hwenyu hwose.
  4876. Num 35:30 Ani nani anorova munhu, nemuromo wezvapupu muurayi achaurawa; asi chapupu chimwe hachingapupuri pamusoro pemunhu kuti afe.
  4877. Num 35:31 Uye haangatori dzikinuro pamusoro peupenyu hwemuurayi ane mhosva yerufu; nokuti achaurawa zvirokwazvo.
  4878. Num 35:32 Uye musatora dzikinuro pamusoro peanotizira kuguta reutiziro hwake, kuti adzokere kunogara munyika, kusvika pakufa kwemupristi.
  4879. Num 35:33 Naizvozvo hamungasvibisi nyika yamuri; nokuti iropa rinosvibisa nyika; uye nyika haingaitirwi chiyananiso pamusoro peropa rakateurirwa mairi, asi koga neropa rewakariteura.
  4880. Num 35:34 Naizvozvo musasvibisa nyika yamunogara mairi, yandinogara mukati mayo; nokuti ini Jehovha ndinogara pakati pevana vaIsraeri.
  4881. Num 36:1 Zvino kwakaswedera misoro yemadzibaba vemhuri yevana vaGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vemhuri dzevana vaJosefa, ndokutaura pamberi paMozisi nepamberi pemachinda, misoro yemadzibaba evana vaIsraeri,
  4882. Num 36:2 ndokuti: Jehovha wakaraira tenzi wangu kupa vana vaIsraeri nyika senhaka nemujenya; uye tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa nhaka yaZerofehadhi munin’ina wedu kuvanasikana vake.
  4883. Num 36:3 Zvino kana vakava vakadzi kune umwe wevanakomana veamwe marudzi evana vaIsraeri, nhaka yavo ichabviswa panhaka yemadzibaba edu, uye ichawedzerwa panhaka yerudzi rwavachava varwo; saizvozvo ichabviswa pamujenya wenhaka yedu.
  4884. Num 36:4 Zvino pachava negore reJubheri revana vaIsraeri, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yerudzi rwavachava varwo; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yerudzi rwemadzibaba edu.
  4885. Num 36:5 Zvino Mozisi wakaraira vana vaIsraeri zvichienderana nemuromo waJehovha achiti: Rudzi rwevana vaJosefa rwataura zvakarurama.
  4886. Num 36:6 Ichi chinhu Jehovha chaanoraira maererano nevanasikana vaZerofehadhi achiti: Regai vave vakadzi kune vakanaka pameso avo; asi regai vave vakadzi kumhuri yerudzi rwababa vavo.
  4887. Num 36:7 Naizvozvo nhaka yevana vaIsraeri haingapoti ichibva kurudzi kuenda kurudzi, nokuti vana vaIsraeri vachanamatira, umwe neumwe kunhaka yerudzi rwemadzibaba ake.
  4888. Num 36:8 Uye mwanasikana umwe neumwe anogara nhaka yefuma pamarudzi api neapi evana vaIsraeri achava mukadzi kune umwe wemhuri yerudzi rwababa vake, kuti vana vaIsraeri vagare nhaka, umwe neumwe nhaka yemadzibaba ake.
  4889. Num 36:9 Naizvozvo nhaka haingapoti kubva kurudzi kuenda kune rumwe rudzi; nokuti marudzi evana vaIsraeri achanamatira, rwumwe nerwumwe kunhaka yarwo.
  4890. Num 36:10 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, ndizvo zvakaita vanasikana vaZerofehadhi.
  4891. Num 36:11 Nokuti Mahira, Tiriza, naHogira, naMirika, naNowa, vanasikana vaZerofehadhi vakava vakadzi kuvanakomana vevanin’ina vababa vavo.
  4892. Num 36:12 Zvino vakava vakadzi kumhuri dzevanakomana vaManase mwanakomana waJosefa; nhaka ndokugara parudzi rwemhuri yababa vavo.
  4893. Num 36:13 Iyi mirairo nemitongo Jehovha yaakaraira vana vaIsraeri neruoko rwaMozisi pamapani eMoabhu paJoridhani paJeriko
  4894. Deu 1:1 Awa mashoko Mozisi aakataura kuna Israeri wose mhiri kwaJoridhani murenje, mubani pakatarisana neSufi, pakati peParani neTofera neRabhani neHazeroti neDhizahabhi.
  4895. Deu 1:2 Pane mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu, nenzira yegomo reSeiri kusvika paKadheshi-Bharineya.
  4896. Deu 1:3 Zvino zvakaitika mugore remakumi mana, mumwedzi wegumi neumwe, nerekutanga remwedzi, Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri zvichienderana nezvose Jehovha zvaaiva amupa kuva murairo kwavari;
  4897. Deu 1:4 shure kwekunge arova Sihoni mambo wevaAmori waiva agere muHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani waiva agere paAshitaroti paEdhirei.
  4898. Deu 1:5 Nechekuno kwaJoridhani munyika yaMoabhu Mozisi wakatanga kududzira murairo uyu achiti:
  4899. Deu 1:6 Jehovha Mwari wedu wakataura kwatiri muHorebhu achiti: Magara nguva yakakwana mugomo iri.
  4900. Deu 1:7 Dzokai imwi mubve muende kugomo revaAmori nekose kwakavakidzana navo, mubani, muzvikomo, nemumupata, nekuchamhembe, nekumahombekombe egungwa, nyika yevaKenani, neRebhanoni, kusvika kurwizi rukuru, rwizi Furati.
  4901. Deu 1:8 Onai, ndaisa nyika pamberi penyu; pindai, mudye nhaka yenyika Jehovha yaakapikira madzibaba enyu, Abhurahama, Isaka, naJakove, kuvapa iyo nekumbeu yavo shure kwavo.
  4902. Deu 1:9 Uye ndataura kwamuri nguva ino ndichiti: Handigoni kukutakurai ndiri ndoga.
  4903. Deu 1:10 Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; zvino tarirai, nhasi mava senyeredzi dzekumatenga pakuwanda.
  4904. Deu 1:11 Jehovha Mwari wemadzibaba enyu ngaawedzere kwamuri, sezvamakaita, kakapetwa kane churu, akuropafadzei, sezvaakataura kwamuri.
  4905. Deu 1:12 Ndiri ndoga ndingatakura sei urema hwenyu nemutoro wenyu negakava renyu?
  4906. Deu 1:13 Zvipei varume vakachenjera, uye vanonzwisisa, uye vanozikanwa kumarudzi enyu, ndivaise vave misoro yenyu.
  4907. Deu 1:14 Zvino makandipindura mukati: Shoko ramataura rakanaka kuriita.
  4908. Deu 1:15 Zvino ndakatora misoro yemarudzi enyu, varume vakachenjera uye vanozikanwa, ndikavaisa vakava misoro pamusoro penyu, vakuru vezvuru, nevakuru vemazana, nevakuru vemakumi mashanu, nevakuru vemakumi, nevabati vemarudzi enyu.
  4909. Deu 1:16 Zvino ndakaraira vatongi venyu nenguva iyo ndichiti: Inzwai zviri pakati pehama dzenyu, mutonge zvakarurama pakati pemunhu nehama yake, nemutorwa wake.
  4910. Deu 1:17 Musatarira zviso pakutonga; inzwai mudiki semukuru; musatya chiso chemunhu; nokuti kutonga ndekwaMwari; uye nyaya inorema kwamuri muchaiuisa kwandiri, zvino ndichainzwa.
  4911. Deu 1:18 Zvino nenguva iyo ndakakurairai zvinhu zvose zvamunofanira kuita.
  4912. Deu 1:19 Zvino tabva paHorebhu, takafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona nenzira yegomo revaAmori, sezvakatiraira Jehovha Mwari wedu; ndokusvika paKadheshi-Bharineya.
  4913. Deu 1:20 Zvino ndakati kwamuri: Masvika pagomo revaAmori, Jehovha Mwari wedu raachapa kwatiri.
  4914. Deu 1:21 Tarirai, Jehovha Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai mugare nhaka yayo, sezvakataura Jehovha Mwari wemadzibaba enyu kwamuri; musatya uye musavhunduka.
  4915. Deu 1:22 Zvino makaswedera kwandiri mose mukati: Ngatitume varume mberi kwedu kuti vatishorere nyika, vagodzosa shoko kwatiri, nzira yatichakwira nayo, nemaguta atichapinda kwaari.
  4916. Deu 1:23 Zvino shoko rakava rakanaka pameso angu; naizvozvo ndakatora kwamuri varume gumi nevaviri, murume umwe parudzi.
  4917. Deu 1:24 Ivo ndokutendeuka, ndokukwira mugomo vasvika mumupata weEshikori, ndokuishora.
  4918. Deu 1:25 Zvino vakatora zvemuchero wenyika mumaoko avo, ndokuzviburusira kwatiri, ndokutidzosera shoko, ndokuti: Inyika yakanaka Jehovha Mwari wedu yaanotipa.
  4919. Deu 1:26 Zvakadaro hamuna kuda kukwira, asi makamukira muromo waJehovha Mwari wenyu.
  4920. Deu 1:27 Zvino makanyunyuta mumatende enyu, ndokuti: Nokuti Jehovha wakativenga, wakatibudisa munyika yeEgipita, kutiisa muruoko rwevaAmori kutiparadza.
  4921. Deu 1:28 Tichakwirepi? Hama dzedu dzanyautsa moyo wedu dzichiti: Vanhu vakuru uye varefu kutipfuura; maguta makuru uye akashoshewa kusvika kumatenga; uyewo vana vaAnaki tavaonako.
  4922. Deu 1:29 Zvino ndakati kwamuri: Musavhunduka uye musavatya.
  4923. Deu 1:30 Jehovha Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paEgipita pamberi pemeso enyu,
  4924. Deu 1:31 nemurenje pawakaona kuti Jehovha Mwari wako wakakutakura semurume anotakura mwanakomana wake, panzira yose yamakafamba, kusvika masvika panzvimbo ino.
  4925. Deu 1:32 Asi pachinhu ichi hamuna kutenda kuna Jehovha Mwari wenyu;
  4926. Deu 1:33 iye wakakutungamirirai panzira kukutsvakirai nzvimbo kuti mudzike matende, mumoto usiku, kukutaridzai nzira yamuchafamba, uye mugore masikati.
  4927. Deu 1:34 Zvino Jehovha wakanzwa inzwi remashoko enyu, ndokutsamwa, ndokupika achiti:
  4928. Deu 1:35 Zvirokwazvo haako kuvarume ava, zera iri rakaipa, achaona nyika yakanaka, yandakapikira kupa madzibaba enyu,
  4929. Deu 1:36 kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, iye achaiona; uye ndichapa kwaari nekuvana vake nyika yaakatsika, nokuti wakatevera Jehovha zvakazara.
  4930. Deu 1:37 Neni Jehovha wakanditsamwira nekuda kwenyu achiti: Iwewo haungapindi ikoko.
  4931. Deu 1:38 Joshua mwanakomana waNuni anomira pamberi pako, iye achapinda ikoko; umusimbise, nokuti iye achaita Israeri adye nhaka yayo.
  4932. Deu 1:39 Nevanana venyu vamakati vachajimbiwa, nevana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ivo vachapinda ikoko, uye ndichaipa kwavari, uye ivo vachaigara nhaka.
  4933. Deu 1:40 Asi imwi zvitendeukirei mugofamba makananga kurenje, nzira yeGungwa Dzvuku.
  4934. Deu 1:41 Zvino makapindura ndokuti kwandiri: Takatadzira Jehovha, isu tichakwira tigonorwa zvichienderana nezvose Jehovha Mwari wedu zvaakatiraira. Zvino makati mashonga umwe neumwe zvombo zvake zvehondo, makafunga kuti zvakareruka kukwira mugomo.
  4935. Deu 1:42 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Iti kwavari: Musakwira uye musarwa, nokuti handisi pakati penyu; zvimwe mungarohwa pamberi pevavengi venyu.
  4936. Deu 1:43 Zvino ndakataura kwamuri, asi hamuna kuteerera, ndokumukira murairo waJehovha, mukaita manyawi, ndokukwira mugomo.
  4937. Deu 1:44 Zvino vaAmori vaigara mugomo iro vakabuda kumirisana nemwi, ndokukudzingirirai sezvinoita nyuchi, ndokukuparadzai paSeiri kusvika paHorima.
  4938. Deu 1:45 Zvino makadzoka ndokuchema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera inzwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake kwamuri.
  4939. Deu 1:46 Zvino makagara paKadheshi mazuva mazhinji, semazuva amakagarapo.
  4940. Deu 2:1 Zvino takatendeuka tikafamba kupinda murenje, nzira yeGungwa Dzvuku, Jehovha sezvaakataura kwandiri; uye tikapoteredza gomo reSeiri mazuva mazhinji.
  4941. Deu 2:2 Zvino Jehovha wakataura kwandiri achiti:
  4942. Deu 2:3 Mapoteredza gomo iri nguva yaringana; imwi tendeukirai kumaodzanyemba.
  4943. Deu 2:4 Mugoraira vanhu muchiti: Mugure nemumuganhu wehama dzenyu, vana vaEsau vanogara Seiri; zvino vachakutyai, naizvozvo muchachenjerera kwazvo.
  4944. Deu 2:5 Musarwa navo, nokuti handingakupii zvenyika yavo, kunyange nzvimbo panotsikiwa nepasi petsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri kuva rake.
  4945. Deu 2:6 Muchatenga zvekudya kwavari nemari kuti mudye; nemvurawo muchatengawo kwavari nemari kuti munwe.
  4946. Deu 2:7 Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pabasa rose reruoko rwako; anoziva kufamba kwako murenje iri guru; Jehovha Mwari wako wanga anewe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.
  4947. Deu 2:8 Patakapfuura pahama dzedu, vana vaEsau vagere paSeiri, nenzira yebani, takabva paErati uye takabva paEziyoni-Gebheri, ndokudzoka tikapfuura nenzira yekurenje rekwaMoabhu.
  4948. Deu 2:9 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Usashungurudza vaMoabhu, kana kuvarwisa; nokuti handingakupi panyika yavo kuva yako; nokuti ndakapa Ari kuvana vaRoti kuva yavo.
  4949. Deu 2:10 Nguva dzeshure vaEmi vaigaramo, vanhu vakuru, uye vazhinji, uye varefu, sevaAnaki.
  4950. Deu 2:11 Vaiverengwawo sevane simba sevaAnaki; asi vaMoabhu vaivadaidza kuti VaEmi.
  4951. Deu 2:12 VaHoriwo vaigara paSeiri nguva dzeshure; asi vana vaEsau vakavabvisa pafuma yavo, vakavaparadza kubva pamberi pavo, ndokugara pachinzvimbo chavo, sezvakaita Israeri kunyika yenhaka yake, Jehovha yaakavapa.
  4952. Deu 2:13 Ikozvino, simukai imwi muyambuke rukova Zeredhi. Naizvozvo takayambuka rukova Zeredhi.
  4953. Deu 2:14 Zvino mazuva atakafamba kubva paKadheshi-Bharineya kusvika tayambuka rukova Zeredhi aiva makore makumi matatu nemasere, kusvika kwapera zera rose revarume vehondo kubva pakati pemusasa, Jehovha sezvaakapika kwavari.
  4954. Deu 2:15 Nokuti zvirokwazvo ruoko rwaJehovha rwairwisana navo, kuvaparadza kubva pakati pemusasa, kusvika vapera.
  4955. Deu 2:16 Zvino zvakaitika apo varume vose vehondo vapera vachifa kubva pakati pevanhu,
  4956. Deu 2:17 Jehovha ndokutaura kwandiri achiti:
  4957. Deu 2:18 Nhasi uchapfuura nepaAri, muganhu waMoabhu.
  4958. Deu 2:19 Pauchaswedera pakatarisana nevana vaAmoni, usavashungurudza, kana kurwisana navo; nokuti handingakupi kubva panyika yevana vaAmoni kuva yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti kuva yavo.
  4959. Deu 2:20 Naiyo yakaverengwa senyika yevanhu vane simba; vanhu vane simba vaigara mairi nguva dzeshure, asi vaAmoni vaivatumidza kuti vaZamuzumi;
  4960. Deu 2:21 vanhu vakuru, uye vazhinji, uye varefu, sevaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavabvisa pafuma yavo, ndokugara panzvimbo yavo;
  4961. Deu 2:22 sezvaakaita kuvana vaEsau vaigara muSeiri, paakaparadza VaHori kubva pamberi pavo, ndokuvabvisa pafuma yavo, vakagara panzvimbo yavo kusvika nhasi.
  4962. Deu 2:23 Uye VaAvhi, vaigara muHazerimi kusvika Gaza, VaKafitori vakabuda kuKafitori, vakavaparadza ndokugara panzvimbo yavo.
  4963. Deu 2:24 Simukai mubve, muyambuke rukova Arinoni; tarirai, ndakapa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kudya nhaka, uye murwe naye muhondo.
  4964. Deu 2:25 Nhasi ndichatanga kuisa kuvhunduka nemwi nekutyisa nemwi pamusoro pemarudzi pasi pematenga ose, achanzwa rondedzero pamusoro penyu, uye achadedera vagova mukurwadziwa kwazvo nekuda kwenyu.
  4965. Deu 2:26 Zvino ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni nemashoko erugare ndichiti:
  4966. Deu 2:27 Rega ndipfuure nemunyika yako; ndichafamba nenzira huru; handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
  4967. Deu 2:28 Uchanditengesera zvekudya nemari kuti ndidye; uye uchandipa mvura ndichiripa mari kuti ndinwe; koga ndichagura nemakumbo angu;
  4968. Deu 2:29 sezvakaita kwandiri vana vaEsau vagere muSeiri, nevaMoabhu vagere muAri, kusvika ndayambuka Joridhani kupinda munyika Jehovha Mwari wedu yaanotipa.
  4969. Deu 2:30 Asi Sihoni mambo weHeshibhoni haana kutitendera kupfuura nekwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakaomesa mweya wake, akasimbaradza moyo wake, kuti amupe muruoko rwako, sepazuva rino.
  4970. Deu 2:31 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Tarira, ndatanga kupa Sihoni nenyika yake pamberi pako; tanga kuigara nhaka, kuti nyika ive yako.
  4971. Deu 2:32 Zvino Sihoni wakabuda kupikisana nesu, iye nevanhu vake vose, kuzorwa paJahazi.
  4972. Deu 2:33 Zvino Jehovha Mwari wedu akamupa pamberi pedu, tikamurova, nevanakomana vake, nevanhu vake vose.
  4973. Deu 2:34 Zvino nenguva iyo tikatapa maguta ake ose ndokuparadza chose maguta ose, vanhurume nevanhukadzi nevanana; hatina kusiya wakasara.
  4974. Deu 2:35 Koga zvipfuwo takazvitapira, pamwe nezvakapambiwa pamaguta atakatapa.
  4975. Deu 2:36 Kubva paAroeri riri pamahombekombe erukova Arinoni, neguta riri parukova, kusvika Giriyadhi, hakuna kuva neguta rakakwirira kutipfuura; Jehovha Mwari wedu wakaapa ose pamberi pedu.
  4976. Deu 2:37 Koga kunyika yevana vaAmoni hamuna kuswedera, nzvimbo yose yerukova Jabhoki, nemaguta emakomo, nepose Jehovha Mwari wedu paakatidzivisa.
  4977. Deu 3:1 Zvino takatendeuka ndokukwira nenzira yeBhashani. Ogi mambo weBhashani ndokubudira kusangana nesu, iye nevanhu vake vose, kuzorwa paEdhirei.
  4978. Deu 3:2 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Usamutya, nokuti ndichamupa iye nevanhu vake vose nenyika yake muruoko rwako. Zvino uchamuitira sezvawakaita kuna Sihoni mambo wevaAmori waigara paHeshibhoni.
  4979. Deu 3:3 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu wakapa muruoko rwedu Ogiwo mambo weBhashani, nevanhu vake vose; uye tikamurova kusvika pasina waakasiirwa wakasara.
  4980. Deu 3:4 Zvino takatapa maguta ake ose nenguva iyo; hakuna kuva neguta ratisina kutora kwavari, maguta makumi matanhatu, dunhu rose reArigobhu, ushe hwaOgi muBhashani.
  4981. Deu 3:5 Awa maguta ose aiva akashoshewa nemasvingo marefu, masuwo, nemazariro; kunze kwemisha mizhinji-zhinji yaiva isina masvingo.
  4982. Deu 3:6 Zvino takaaparadza chose, sezvatakaita kuna Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza chose maguta ose, varume, vakadzi, nevanana.
  4983. Deu 3:7 Asi zvipfuwo zvose nezvakapambiwa zvemaguta takazvitapira.
  4984. Deu 3:8 Zvino nenguva iyo takatora nyika paruoko rwemadzimambo maviri evaAmori aiva mhiri kwaJoridhani, kubva parwizi Arinoni kusvika pagomo reHerimoni.
  4985. Deu 3:9 (Herimoni vaSidhoni vanoritumidza Sirioni, asi vaAmori vanoritumidza Seniri).
  4986. Deu 3:10 Maguta ose ebani, neGiriyadhi rose, neBhashani rose, kusvika paSareka neEdhirei, maguta eushe hwaOgi muBhashani.
  4987. Deu 3:11 Nokuti ndiOgi oga mambo weBhashani wakasara pavakasara vevane simba; tarira mubhedha wake waiva mubhedha wematare; haupo here paRabha revana vaAmoni? Kureba kwawo kwaiva makubhiti mapfumbamwe, neupamhi hwawo hwaiva makubhiti mana, zvichienderana nekubhiti remunhu.
  4988. Deu 3:12 Zvino nyika iyi takaigara nhaka nenguva iyo; kubva paAroeri iri parwizi Arinoni, nehafu yemakomo yeGiriyadhi, nemaguta ayo, ndikapa VaRubheni nevaGadhi.
  4989. Deu 3:13 Neyakasara yeGiriyadhi, neBhashani rose, ushe hwaOgi, ndakapa kuhafu yerudzi rwaManase, dunhu rose reArigobhu, neBhashani rose, rinotumidzwa nyika yevane simba.
  4990. Deu 3:14 Jairi mwanakomana waManase wakatora dunhu rose reArigobhu kusvika pamuganhu wevaGeshuri nevaMaakati, ndokuitumidza zvichitevera zita rake, Bhashani Havhoti-Jairi, kusvika zuva ranhasi.
  4991. Deu 3:15 Zvino ndakapa Giriyadhi kuna Makiri.
  4992. Deu 3:16 NekuvaRubheni nekuvaGadhi ndakapa kubva paGiriyadhi kusvikawo parwizi Arinoni, pakati nepakati pemupata, nemuganhu, kusvikawo parwizi Jabhoki, muganhu wevana vaAmoni.
  4993. Deu 3:17 Uye mapani, neJoridhani, nemuganhu, kubva paKinereti, kusvika kugungwa rebani, gungwa remunyu, pajinga peAshidhodhi-Pisiga kumabvazuva.
  4994. Deu 3:18 Zvino ndakakurairai nenguva iyo ndichiti: Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyi ive nhaka yenyu. Muchayambuka makashonga zvombo pamberi pehama dzenyu, vana vaIsraeri, varume vose vari mhare.
  4995. Deu 3:19 Koga vakadzi venyu nevanana venyu nezvipfuwo zvenyu, nokuti ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji, zvichagara mumaguta enyu andakakupai.
  4996. Deu 3:20 Kusvika Jehovha apa zororo hama dzenyu semwi, naivo vagare nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanovapa mhiri kwaJoridhani; zvino muchadzokera umwe neumwe kunhaka yake yandakakupai.
  4997. Deu 3:21 Zvino ndakaraira Joshua panguva iyo ndichiti: Meso ako akaona zvose Jehovha Mwari wenyu zvaakaitira madzimambo awa maviri; saizvozvo Jehovha uchaitira ushe hwose kwamunoyambukira.
  4998. Deu 3:22 Musavatya, nokuti Jehovha Mwari wenyu, iye anokurwirai.
  4999. Deu 3:23 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndichiti:
  5000. Deu 3:24 Ishe Jehovha, imwi makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu, neruoko rwenyu rune simba; nokuti ndeupi mwari kumatenga kana panyika angaita zvinoenderana nemabasa enyu uye zvinoenderana nemasimba enyu?
  5001. Deu 3:25 Nditenderei henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJoridhani, gomo iro rakanaka, neRebhanoni.
  5002. Deu 3:26 Asi Jehovha wakanditsamwira nekuda kwenyu, akasandinzwa; Jehovha ndokuti kwandiri: Zvaringana kwauri! Usachitaurazve kwandiri pamusoro penyaya iyi.
  5003. Deu 3:27 Kwira panhongonya pePisiga, ugosimudzira meso ako kumavirazuva nekumaodzanyemba nekuchamhembe nekumabvazuva ugoona nemeso ako; nokuti haungayambuki Joridhani urwu.
  5004. Deu 3:28 Asi raira Joshua, umukurudzire nekumusimbisa, nokuti iye uchayambuka pamberi pevanhu ava, uye achavagarisa nhaka yenyika yauchaona.
  5005. Deu 3:29 Zvino takagara pamupata pakatarisana neBheti-Peori.
  5006. Deu 4:1 Zvino ikozvino, Israeri, inzwa zvimiso nemitongo zvandinokudzidzisai kuzviita; kuti murarame, mupinde mugare nhaka yenyika Jehovha Mwari wemadzibaba enyu yaakakupai.
  5007. Deu 4:2 Hamungawedzeri pashoko randinokurairai, kana kutapudza pariri, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.
  5008. Deu 4:3 Meso enyu ndiwo anoona zvakaita Jehovha nekuda kwaBhaari-Peori; nokuti munhu wose wakatevera Bhaari-Peori, Jehovha Mwari wenyu wakamuparadza kubva pakati penyu.
  5009. Deu 4:4 Asi imwi vakanamatira kuna Jehovha Mwari wenyu muri vapenyu mose nhasi.
  5010. Deu 4:5 Tarirai, ndakakudzidzisai zvimiso nemitongo, Jehovha Mwari wangu sezvaakandiraira, kuti muite saizvozvo mukati menyika yamunoenda kunoigara nhaka.
  5011. Deu 4:6 Naizvozvo zvichengetei nekuzviita; nokuti uchenjeri hwenyu nekunzwisisa kwenyu pameso endudzi dzichanzwa zvimiso zvose izvi, dzigoti: Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.
  5012. Deu 4:7 Nokuti nderwupi rudzi rukuru rwuna mwari uri pedo navo saJehovha Mwari wedu pakumudana kwedu kose?
  5013. Deu 4:8 Uye nderwupi rudzi rukuru rwune zvimiso nemitongo zvakarurama semurairo uyu wose wandinoisa pamberi penyu nhasi?
  5014. Deu 4:9 Koga zvichenjererei, muchengetedze kwazvo mweya yeupenyu yenyu, zvimwe mukanganwe zvinhu meso enyu zvaakaona, uye zvimwe zvibve pamoyo wenyu mazuva ose eupenyu hwenyu. Uye muzvidzidzise vana venyu nevana vevana venyu;
  5015. Deu 4:10 zuva ramakamira naro pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, Jehovha paakati kwandiri: Ndiunganidzire vanhu ndigovanzwisa mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachararama panyika, vagodzidzisa vana vavo.
  5016. Deu 4:11 Zvino makaswedera, ndokumira pajinga pegomo; gomo ndokupfuta nemoto kusvika pakati pematenga, nerima, gore, nerima rinorema.
  5017. Deu 4:12 Zvino Jehovha wakataura nemwi kubva mukati memoto; mukanzwa inzwi remashoko, asi hamuna kuona chimiro; inzwi roga.
  5018. Deu 4:13 Zvino wakakuudzai pachena sungano yake, yaakakurairai kuti muiite, mirairo gumi; uye wakainyora pamahwendefa maviri emabwe.
  5019. Deu 4:14 Zvino Jehovha wandiraira panguva iyo kukudzidzisai zvimiso nemitongo, kuti muzviite munyika yamunopfuurira kwairi kugara nhaka yayo.
  5020. Deu 4:15 Naizvozvo chenjerai kwazvo nekuda kwemweya yenyu, nokuti hamuna kuona chero chimiro pazuva Jehovha raakataura kwamuri paHorebhu ari mukati memoto;
  5021. Deu 4:16 zvimwe muzvitadzire ndokuzviitira chifananidzo chakavezwa, chimiro chemufananidzo upi neupi, chifananidzo chemunhurume kana chemunhukadzi,
  5022. Deu 4:17 chifananidzo chemhuka ipi neipi iri panyika, chifananidzo cheshiri ipi neipi ine mapapiro inobhururuka mumatenga,
  5023. Deu 4:18 chifananidzo chechipi nechipi chinokambaira pasi, chifananidzo chehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika.
  5024. Deu 4:19 Uye zvimwe musimudzire meso enyu kumatenga, pamuchaona zuva nemwedzi nenyeredzi, hondo yose yekumatenga, mukwezvewe kuzvinamata nekuzvishumira, izvo Jehovha Mwari wenyu zvaakagovera ndudzi dzose pasi pematenga ose.
  5025. Deu 4:20 Asi imwi, Jehovha wakakutorai ndokukubudisai kubva muchoto chematare, kubva muEgipita, kuti muve kwaari vanhu venhaka, sanhasi.
  5026. Deu 4:21 Jehovha wakanditsamwirawo nekuda kwemashoko enyu, ndokupika kuti handingayambuki Joridhani, uye kuti handingapindi munyika iyo yakanaka, Jehovha Mwari wenyu yaanokupai kuva nhaka.
  5027. Deu 4:22 Nokuti ndichafira munyika ino; handisi kuyambuka Joridhani; asi imwi muchayambuka, mugogara nhaka yenyika iyo yakanaka.
  5028. Deu 4:23 Muzvichenjerere, zvimwe mungakanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemwi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa, mufananidzo wechipi nechipi, Jehovha Mwari wako chaakakurambidza.
  5029. Deu 4:24 Nokuti Jehovha Mwari wako moto unoparadza, Mwari ane godo.
  5030. Deu 4:25 Pauchabereka vana nevana vevana, uye magara nguva refu panyika, uye mazvishatisa, ndokuita chifananidzo chakavezwa, mufananidzo wechipi nechipi, uye maita chakaipa pameso aJehovha Mwari wako, kuti mumutsamwise,
  5031. Deu 4:26 ndinodana matenga nepasi nhasi kuti zvikupupurirei, kuti muchaparara chose nekukurumidza kubva panyika yamunoyambukira Joridhani kuenda kwairi kuti ive nhaka yenyu; hamungarebesi mazuva pamusoro payo, nokuti muchaparadzwa zvekuparadzwa.
  5032. Deu 4:27 Zvino Jehovha achakuparadzirai pakati pendudzi, uye muchasara muri vashoma pauwandu pakati pendudzi Jehovha kwaanokudzingirai.
  5033. Deu 4:28 Zvino ipapo muchashumira vamwari, basa remaoko evanhu, matanda nemabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.
  5034. Deu 4:29 Asi muri ipapo kana mukatsvaka Jehovha Mwari wako, uchamuwana kana ukamutsvaka nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose.
  5035. Deu 4:30 Paunenge uri mumatambudziko, zvinhu izvi zvose zvakuwana, pakupera kwemazuva, uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ugoteerera inzwi rake.
  5036. Deu 4:31 Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari ane nyasha; haangakusii, uye haangakuparadzi, uye haangakanganwi sungano yemadzibaba ako, yaakavapikira.
  5037. Deu 4:32 Nokuti bvunzai henyu pamusoro pemazuva ekare, iwo aiva mberi kwenyu, kubva pazuva Mwari raakasika naro munhu panyika, kubva kune umwe mugumo wematenga kusvikawo kune umwe mugumo wematenga, kuti kwakava here nezvinhu zvakakura kudai, kana kwakanzwikwa zvakadaro?
  5038. Deu 4:33 Vanhu vakambonzwa here inzwi raMwari richitaura kubva mukati memoto, sezvamakanzwa imwi, vakararama?
  5039. Deu 4:34 Kana Mwari wakatongoidza kuenda kunozvitorera rudzi pakati perumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, uye nezvishamiso, uye nehondo, uye neruoko rwune simba, uye neruoko rwakatandavadzwa, uye nezvityiso zvikuru, sezvose Jehovha Mwari wenyu zvaakakuitirai muEgipita pamberi pemeso enyu here?
  5040. Deu 4:35 Iwe wakakuratidza, kuti uzive kuti Jehovha ndiMwari; hakuna umwe kunze kwake.
  5041. Deu 4:36 Wakakunzwisai inzwi rake kubva kumatenga kuti akudzidzise; nepanyika wakakuonesa moto wake mukuru; nemashoko ake wakamanzwa kubva mukati memoto.
  5042. Deu 4:37 Zvino nokuti wakada madzibaba ako, wakasarudza mbeu yavo shure kwavo, ndokukubudisa muEgipita pamberi pechiso chake nesimba rake guru,
  5043. Deu 4:38 kudzinga panhaka marudzi makuru uye ane simba kukupfuura pamberi pako, kukupinza, kukupa nyika yavo ive nhaka sanhasi.
  5044. Deu 4:39 Naizvozvo ziva nhasi, udzosere muhana yako kuti Jehovha ndiMwari kumatenga kumusoro nepanyika pasi; hakuna umwe.
  5045. Deu 4:40 Naizvozvo uchachengeta zvimiso zvake nemirairo yake yandinokuraira nhasi, kuti zvikunakire nevana vako shure kwako, uye kuti urebese mazuva panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa mazuva ose.
  5046. Deu 4:41 Ipapo Mozisi wakatsaura maguta matatu mhiri kwaJoridhani nechekumabvazuva,
  5047. Deu 4:42 ekutizirako kwemuurayi anouraya wekwake asina kuita maune, uye asingamuvengi zuro namarimwezuro; kuti atizire kune rimwe remaguta awa ararame:
  5048. Deu 4:43 Bhezeri murenje, munyika yemapani, rive revaRubheni; neRamoti paGiriyadhi, revaGadhi; neGorani paBhashani, revaManase.
  5049. Deu 4:44 Zvino uyu murairo Mozisi waakaisa pamberi pevana vaIsraeri.
  5050. Deu 4:45 Uhwu uchapupu nezvimiso nemitongo Mozisi zvaakataura kuvana vaIsraeri pakubuda kwavo muEgipita,
  5051. Deu 4:46 mhiri kwaJoridhani, mumupata pakatarisana neBheti-Peori, munyika yaSihoni mambo wevaAmori, waigara paHeshibhoni, Mozisi nevana vaIsraeri wavakarova pakubuda kwavo muEgipita.
  5052. Deu 4:47 Zvino vakagara nhaka yenyika yake, nenyika yaOgi mambo weBhashani, madzimambo maviri evaAmori, vaiva mhiri kwaJoridhani nechekumabvazuva;
  5053. Deu 4:48 kubva paAroeri riri pamahombekombe emupata weArinoni kusvikawo pagomo reSioni, ndiro Herimoni,
  5054. Deu 4:49 nemapani ose mhiri kwaJoridhani kumabvazuva kusvikawo pagungwa remupata, pajinga peAshidhodhi-Pisiga.
  5055. Deu 5:1 Zvino Mozisi wakadana Israeri wose, ndokuti kwavari: Inzwa Israeri, zvimiso nemitongo zvandinotaura munzeve dzenyu nhasi, kuti muzvidzidze muchenjerere kuzviita.
  5056. Deu 5:2 Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu.
  5057. Deu 5:3 Jehovha haana kuita sungano iyi nemadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri pano tichirarama nhasi.
  5058. Deu 5:4 Jehovha wakataura nemwi chiso nechiso mugomo, ari mukati memoto.
  5059. Deu 5:5 Ndakamira pakati paJehovha nemwi nenguva iyo, kukuzivisai inzwi raJehovha; nokuti makatya nekuda kwemoto, hamuna kukwira mugomo. Akati:
  5060. Deu 5:6 Ndiri Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeEgipita, kubva muimba yeuranda.
  5061. Deu 5:7 Usava nevamwe vamwari pamberi pangu.
  5062. Deu 5:8 Usazviitira chifananidzo chakavezwa, mufananidzo upi neupi wechiri kumatenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
  5063. Deu 5:9 Usazvifugamira, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari ane godo; ndichitsiva kuipa kwemadzibaba pamusoro pevana, uye pamusoro perudzi, uye pamusoro perwechitatu nerwechina rwevanondivenga;
  5064. Deu 5:10 uye ndichiitira nyasha zvuru zvevanondida, nezvevanochengeta mirairo yangu.
  5065. Deu 5:11 Usabata zita raJehovha Mwari wako zvisina maturo; nokuti Jehovha haangaregi asina mhosva anobata zita rake zvisina maturo.
  5066. Deu 5:12 Chengeta zuva resabata, kuriita dzvene, Jehovha Mwari wako sezvaakakuraira.
  5067. Deu 5:13 Mazuva matanhatu uchashanda, uite basa rako rose.
  5068. Deu 5:14 Asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usaita chero basa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana murandarume wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati memasuwo ako; kuti murandarume wako nemurandakadzi wako vazorore sewe.
  5069. Deu 5:15 Uye urangarire kuti waiva muranda panyika yeEgipita, uye kuti Jehovha Mwari wako akakubudisa kubva ipapo neruoko rwune simba uye neruoko rwakatandavadzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuchengeta zuva resabata.
  5070. Deu 5:16 Kudza baba vako namai vako, Jehovha Mwari wako sezvaakakuraira; kuti mazuva ako arebeswe, uye kuti zvikunakire munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.
  5071. Deu 5:17 Usauraya.
  5072. Deu 5:18 Uye usapomba.
  5073. Deu 5:19 Uye usaba.
  5074. Deu 5:20 Uye usapa uchapupu hwenhema wakamirisana neumwe wako.
  5075. Deu 5:21 Uye usachiva mukadzi wewekwako; uye usachochora imba yewekwako, munda wake, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, mombe yake, kana mbongoro yake, kana chii chiri chewekwako.
  5076. Deu 5:22 Mashoko awa Jehovha wakataura kuungano yenyu yose mugomo kubva mukati memoto, megore, uye murima guru, nenzwi guru; uye haana kuwedzera. Zvino wakaanyora pamahwendefa maviri emabwe, ndokundipa iwo.
  5077. Deu 5:23 Zvino zvakaitika pamakanzwa inzwi kubva mukati merima, negomo richipfuta nemoto, kuti makaswedera kwandiri, misoro yose yemarudzi enyu, nevakuru venyu,
  5078. Deu 5:24 zvino makati: Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake neukuru hwake, uye tanzwa inzwi rake kubva mukati memoto; taona nhasi kuti Mwari anotaura nemunhu akararama.
  5079. Deu 5:25 Naizvozvo ikozvino tichafirei? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwazve inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.
  5080. Deu 5:26 Nokuti ndiani panyama yose wakanzwa inzwi raMwari mupenyu richitaura kubva mukati memoto sesu akararama?
  5081. Deu 5:27 Swedera iwe, ugonzwa zvose Jehovha Mwari wedu zvaachareva, zvino ndiwe uchatiudza zvose Jehovha Mwari wedu zvaachaudza kwauri; zvino tichanzwa nekuita.
  5082. Deu 5:28 Zvino Jehovha wakanzwa inzwi remashoko enyu pamakataura kwandiri; Jehovha ndokuti kwandiri: Ndanzwa inzwi remashoko evanhu ava, avakataura kwauri; vareva zvakanaka zvose zvavataura.
  5083. Deu 5:29 Haiwa dai vaiva nemoyo wakadai wekunditya, vachengete mirairo yangu yose mazuva ose, kuti zvivanakire, ivo nevana vavo rinhi narinhi!
  5084. Deu 5:30 Enda uti kwavari: Zvidzokererei kumatende enyu.
  5085. Deu 5:31 Asi iwe, mira pano neni, zvino ndichataura kwauri mirairo yose nezvimiso nemitongo, yauchavadzidzisa, kuti vazviite munyika yandinovapa kuti vagare nhaka yayo.
  5086. Deu 5:32 Naizvozvo chenjerai kuti muite Jehovha Mwari wenyu sezvaakaraira imwi; musatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
  5087. Deu 5:33 Muchafamba munzira yose Jehovha Mwari wenyu yaakurairai imwi, kuti murarame, uye zvikunakirei, mugorebesa mazuva munyika yamuchagara nhaka.
  5088. Deu 6:1 Zvino iyi mirairo, zvimiso, nemitongo, Jehovha Mwari wenyu yaakaraira kukudzidzisai, kuti muzviite kunyika yamunoyambukira kwairi kuti muigare nhaka;
  5089. Deu 6:2 kuti utye Jehovha Mwari wako, kuchengeta zvose zvimiso zvake nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nemwanakomana wako, nemwanakomana wemwanakomana wako, mazuva ose eupenyu hwako, uye kuti mazuva ako arebeswe.
  5090. Deu 6:3 Naizvozvo inzwa, Israeri, uye chenjerera kuzviita, kuti zvikunakire, uye kuti uwande kwazvo, Jehovha Mwari wemadzibaba ako sezvaakakuvimbisa, munyika inoyerera mukaka neuchi.
  5091. Deu 6:4 Inzwa, Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha umwe chete.
  5092. Deu 6:5 Zvino ude Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose uye nesimba rako rose.
  5093. Deu 6:6 Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi achava mumoyo mako.
  5094. Deu 6:7 Zvino uchaadzidzisa nekushingaira kuvana vako, uye uchaataura paunenge ugere mumba mako, uye paunenge uchifamba panzira, uye paunenge urere pasi, uye paunenge uchimuka.
  5095. Deu 6:8 Zvino uchaasungira paruoko rwako kuva chiratidzo; uye achava vundanyara pakati pemeso ako.
  5096. Deu 6:9 Zvino uchaanyora pamagwatidziro eimba yako uye pamasuwo ako.
  5097. Deu 6:10 Zvino zvichaitika Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yaakapikira madzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, uye kuna Jakove, kukupa maguta makuru uye akanaka ausina kuvaka,
  5098. Deu 6:11 nedzimba dzizere nezvakanaka zvose dzausina kuzadza, nematsime akacherwa ausina kuchera, minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kusima; paunenge wadya ukaguta,
  5099. Deu 6:12 zvichenjerere, zvimwe ungakanganwa Jehovha wakakubudisa kubva munyika yeEgipita, muimba yeuranda.
  5100. Deu 6:13 Uchatya Jehovha Mwari wako, nekumushumira, uye uchapika nezita rake.
  5101. Deu 6:14 Musatevera vamwe vamwari, vevamwari vendudzi dzinokupoteredzai.
  5102. Deu 6:15 Nokuti Jehovha Mwari wako pakati pako ndiMwari ane godo; zvimwe hasha dzaJehovha Mwari wako dzikupfutire, akuparadze ubve pachiso chenyika.
  5103. Deu 6:16 Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa.
  5104. Deu 6:17 Muchachengeta nekushingaira mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuro zvake, nezvimiso zvake, zvaakakuraira.
  5105. Deu 6:18 Uye uchaita zvakarurama nezvakanaka pameso paJehovha, kuti zvikunakire, uye kuti upinde ugare nhaka yenyika yakanaka, Jehovha Mwari yaakapikira madzibaba ako,
  5106. Deu 6:19 kudzinga vavengi vako vose kubva pamberi pako, Jehovha sezvaakataura.
  5107. Deu 6:20 Kana mwanakomana wako akakubvunza panguva inouya achiti: Zvii zvipupuro nezvimiso nemitongo Jehovha Mwari wedu zvaakakurairai?
  5108. Deu 6:21 Ipapo uchati kumwanakomana wako: Taiva varanda vaFarao muEgipita; Jehovha ndokutibudisa muEgipita neruoko rwune simba.
  5109. Deu 6:22 Zvino Jehovha wakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru uye zvakaipa muEgipita, kuna Farao nekuimba yake yose pamberi pemeso edu;
  5110. Deu 6:23 asi isu wakatibudisapo kuti atipinze, kutipa nyika yaakapikira kumadzibaba edu.
  5111. Deu 6:24 Zvino Jehovha wakatiraira kuita zvose zvimiso izvi, kutya Jehovha Mwari wedu, kuti zvitinakire mazuva ose, kutichengetedza tichirarama sanhasi.
  5112. Deu 6:25 Zvino kuchava kururama kwatiri, kana tichichenjerera kuita mirairo yose iyi pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatiraira.
  5113. Deu 7:1 Jehovha Mwari wako paanokupinza munyika yaunoenda kunoigara nhaka, ndokudzinga ndudzi zhinji pamberi pako, vaHiti, nevaGirigashi, nevaAmori, nevaKenani, nevaPerezi, nevaHivhi, nevaJebhusi, ndudzi nomwe huru uye dzine simba kukudarika,
  5114. Deu 7:2 uye Jehovha Mwari wako paanodziisa pamberi pako, uchadzirova, udziparadze chose; usaita sungano nadzo, uye usavanzwira nyasha.
  5115. Deu 7:3 Usawanana navo, usapa mwanasikana wako kumwanakomana wake, uye mwanasikana wake usamutorera mwanakomana wako.
  5116. Deu 7:4 Nokuti achatsausa mwanakomana wako pakunditevera, kuti vashumire vamwe vamwari; naizvozvo hasha dzaJehovha dzichakupfutirai, ndokukuparadzai nekukurumidza.
  5117. Deu 7:5 Asi muchabata seizvi navo: Muchaparadza aritari dzavo, nekuputsanya shongwe dziri zvifananidzo zvavo, nekutema matanda avo ekunamata nawo, nekupisa nemoto mifananidzo yavo yakavezwa.
  5118. Deu 7:6 Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakusarudza kuva rudzi rwake rwefuma chairwo kubva pamarudzi ose ari pachiso chenyika.
  5119. Deu 7:7 Jehovha haana kukudai kana kukusarudzai nekuda kwekuti maiva muri vazhinji kundudzi dzipi nedzipi, nokuti maiva vashomanesa pavanhu vapi nevapi.
  5120. Deu 7:8 Asi nekuda kwekuti Jehovha wakakudai, uye nekuda kwekuti waichengetedza mhiko yaakapikira madzibaba enyu, Jehovha wakakubudisai neruoko rwune simba, ndokukudzikinurai kubva paimba yeuranda, kubva paruoko rwaFarao mambo weEgipita.
  5121. Deu 7:9 Naizvozvo ziva kuti Jehovha Mwari wako ndiMwari, Mwari wakatendeka, anochengetedza sungano uye nyasha nevanomuda uye vanochengeta mirairo yake kusvika kumarudzi churu;
  5122. Deu 7:10 uye anotsiva vanomuvenga pachiso chavo, kuvaparadza; haanganonokeri anomuvenga, achamutsiva pachiso chake.
  5123. Deu 7:11 Naizvozvo uchachengeta mirairo nezvimiso nemitongo zvandinokuraira nhasi kuzviita.
  5124. Deu 7:12 Zvino zvichaitika nokuti muchinzwa mitongo iyi nekuchengeta nekuiita, kuti Jehovha Mwari wako achakuchengetedzera sungano nenyasha zvaakapikira madzibaba ako.
  5125. Deu 7:13 Zvino achakuda nekukuropafadza nekukuwanza; acharopafadzawo zvibereko zvedumbu rako, nezvibereko zvenyika yako, zviyo zvako, newaini yako itsva, nemafuta ako, zvakaberekwa zvemombe dzako, nemapoka emakwai ako, munyika yaakapikira madzibaba ako kukupa iyo.
  5126. Deu 7:14 Ucharopafadzwa kupfuura ndudzi dzose; hapangavi pakati pako nemurume asingabereki kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvako.
  5127. Deu 7:15 Zvino Jehovha achabvisa kwauri hosha dzose, uye haangaisi rimwe redenda rakaipa reEgipita raunoziva pamusoro pako, asi achaaisa pamusoro pavo vose vanokuvenga.
  5128. Deu 7:16 Zvino uchaparadza ndudzi dzose Jehovha Mwari wako dzaachapa kwauri; ziso rako haringavi netsitsi pamusoro pavo; uye usashumira vamwari vavo, nokuti zvichava musungo kwauri.
  5129. Deu 7:17 Kana ukati mumoyo mako: Ndudzi idzi izhinji kwandiri; ndingagona kudzitorera sei nhaka yadzo?
  5130. Deu 7:18 Usavatya; ucharangarira kwazvo Jehovha Mwari wako zvaakaita kuna Farao nekuvaEgipita vose;
  5131. Deu 7:19 miedzo mikuru meso ako ayakaona nezviratidzo nezvishamiso neruoko rwune simba neruoko rwakatandavadzwa Jehovha Mwari wako rwaakakubudisa narwo; ndizvo zvichaita Jehovha Mwari wako kuvanhu vose zviso zvavo zvaunotya.
  5132. Deu 7:20 Uye Jehovha Mwari wako uchatumirawo mago pakati pavo, kusvika vakasara nevakavanda chiso chako vaparara.
  5133. Deu 7:21 Usavhunduswa kubva pamberi pavo, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako, ndiMwari mukuru uye anotyisa.
  5134. Deu 7:22 Zvino Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzo pamberi pako zvishoma-zvishoma; haugoni kuvaparadza nekukurumidza, zvimwe zvikara zvesango zvingakuwandira.
  5135. Deu 7:23 Asi Jehovha Mwari wako achavapa pamberi pako, nekuvanyonganisa nekunyonganisa kukuru, kusvika vaparadzwa.
  5136. Deu 7:24 Zvino achaisa madzimambo avo muruoko rwako, ugorozva zita ravo kubva pasi pematenga; hapana munhu anozvimisa pamberi pako kusvika wavaparadza.
  5137. Deu 7:25 Muchapisa mifananidzo yakavezwa yavamwari vavo mumoto; musachochora sirivha kana goridhe riri pavari, kana kuzvitorera, zvimwe mungateyiwa mazviri; nokuti zvinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.
  5138. Deu 7:26 Uye usapinza chinyangadzo mumba mako, zvimwe uve chinhu chakatukwa saicho; uchachivenga chose, uye uchachisema chose, nokuti chinhu chakatukwa.
  5139. Deu 8:1 Mirairo yose yandinokuraira nhasi muchachengetedza kuiita, kuti murarame, muwande, mupinde, mudye nhaka yenyika, Jehovha yaakapikira madzibaba enyu.
  5140. Deu 8:2 Zvino ucharangarira nzira yose Jehovha Mwari wako yaakakutungamirira nayo makore awa makumi mana murenje, kuti akuninipise, kukuidza, kuziva zviri mumoyo mako, kana uchachengetedza mirairo yake kana kwete.
  5141. Deu 8:3 Zvino wakakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakudyisa mana yawaiva usingazivi, kunyange madzibaba ako aiva asingazivi, kuti akuzivise kuti munhu haararami nechingwa choga, asi kuti munhu anorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.
  5142. Deu 8:4 Nguvo yako haina kusakara pamusoro pako uye tsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana.
  5143. Deu 8:5 Naizvozvo ziva mumoyo mako, kuti munhu sezvaanoranga mwanakomana wake, Jehovha Mwari wako anokuranga.
  5144. Deu 8:6 Naizvozvo uchachengetedza mirairo yaJehovha Mwari wako, kufamba munzira dzake, nekumutya.
  5145. Deu 8:7 Nokuti Jehovha Mwari wako anokupinza munyika yakanaka, nyika yehova dzemvura, yezvitubu, neudziku hunobuda mumipata nemumakomo;
  5146. Deu 8:8 nyika yegorosi nebhari nemizambiringa nemionde, nemapomegiranati; nyika yemuti wemuorivhi wemafuta, neuchi;
  5147. Deu 8:9 nyika kwauchadya chingwa pasina kushaiwa; haungashaiwi chero chinhu mairi; nyika mabwe ayo ari mhangura, uye kubva muzvikomo zvayo uchachera ndarira.
  5148. Deu 8:10 Paunenge wadya ukaguta, ucharumbidza Jehovha Mwari wako nekuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
  5149. Deu 8:11 Zvichenjerere, zvimwe ungakanganwa Jehovha Mwari wako, nekusachengetedza mirairo yake nemitongo yake nezvimiso zvake, zvandinokuraira nhasi.
  5150. Deu 8:12 Zvimwe paunenge wadya ukaguta, wavaka dzimba dzakanaka ndokugaramo,
  5151. Deu 8:13 nemombe dzako nemakwai ako zvawanda, nesirivha negoridhe zvawanda kwauri, nezvose zviri zvako zvawanda,
  5152. Deu 8:14 nemoyo wako wazvikudza, ukakanganwawo Jehovha Mwari wako wakakubudisa munyika yeEgipita kubva muimba yeuranda;
  5153. Deu 8:15 wakakutungamirira murenje guru uye rinotyisa, maiva nenyoka dzinopisa nezvinyavada nevhu rakaoma paiva pasina mvura, wakakubudisira mvura padombo remusarasara;
  5154. Deu 8:16 wakakudyisa mana murenje, madzibaba ako yavasina kuziva, kuti akuninipise uye kuti akuidze, kukuitira zvakanaka pakupedzisira kwako;
  5155. Deu 8:17 zvino uti mumoyo mako: Simba rangu nekusimba kweruoko rwangu zvakandiwanira fuma iyi.
  5156. Deu 8:18 Asi ucharangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rekuwana fuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sanhasi.
  5157. Deu 8:19 Zvino zvichati kana ukakanganwa-kanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ndokuvashumira, ndokuvanamata, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparara kwazvo.
  5158. Deu 8:20 Semarudzi Jehovha aakaparadza pamberi penyu, saizvozvo muchaparara, nokuti hamuna kuteerera kuinzwi raJehovha Mwari wenyu.
  5159. Deu 9:1 Inzwa, Israeri; unoyambuka nhasi Joridhani, kupinda ugare nhaka yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuura, maguta makuru ane masvingo anosvika kumatenga;
  5160. Deu 9:2 vanhu vakuru uye varefu, vana vevaAnaki vaunoziva, iwe wakanzwa nezvavo zvichinzi: Ndiani angamira pamberi pevana vaAnaki?
  5161. Deu 9:3 Naizvozvo ziva nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye anoyambuka mberi kwako, ari moto unoparadza; iye achavaparadza, uye iye achavaburusira pasi pamberi pako; zvino muchavadzinga vabve panhaka yavo, uye muvaparadze nekukurumidza, Jehovha sezvaakataura kwauri.
  5162. Deu 9:4 Jehovha Mwari wako paanenge avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako uchiti: Nekuda kwekururama kwangu Jehovha wakandipinza kuti ndigare nhaka yenyika ino; asi nekuda kwekuipa kwendudzi idzi Jehovha anovadzinga vabve panhaka yavo pamberi pako.
  5163. Deu 9:5 Kwete nekuda kwekururama kwako kana nekuda kwekururama kwemoyo wako, unopinda udye nhaka yenyika yawo; asi nekuda kwekuipa kwemarudzi awa Jehovha Mwari wako anoadzinga abve pamberi pako, uye kuti asimbise shoko Jehovha raakapikira madzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove.
  5164. Deu 9:6 Zvino ziva, kuti kwete nekuda kwekururama kwako Jehovha Mwari wako anokupa nyika iyi yakanaka kuigara nhaka; nokuti uri rudzi rwune mutsipa mukukutu.
  5165. Deu 9:7 Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako murenje; kubva pazuva rawakabuda munyika yeEgipita kusvika masvika panzvimbo iyi manga muchimukira Jehovha.
  5166. Deu 9:8 NepaHorebhu makatsamwisa Jehovha, kusvika Jehovha akakutsamwirai kukuparadzai.
  5167. Deu 9:9 Pandaiva ndakwira mugomo kunogamuchira mahwendefa emabwe, mahwendefa esungano Jehovha yaakaita nemwi, zvino ndakagara mugomo mazuva makumi mana neusiku makumi mana; handina kudya chingwa uye handina kunwa mvura.
  5168. Deu 9:10 Zvino Jehovha wakandipa mahwendefa awa maviri emabwe akanyorwa nemunwe waMwari; uye pamusoro pawo pakanyorwa zvemashoko ose Jehovha aakataura kwamuri mugomo ari mukati memoto nezuva reungano.
  5169. Deu 9:11 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva makumi mana neusiku makumi mana, kuti Jehovha wakandipa mahwendefa maviri emabwe, mahwendefa esungano.
  5170. Deu 9:12 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Simuka, buruka nekukurumidza ubve pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa muEgipita vazvisvibisa; vatsauka nekukurumidza panzira yandakavaraira; vazviitira chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa.
  5171. Deu 9:13 Uye Jehovha wakataura kwandiri achiti: Ndaona vanhu ava, zvino tarira, vanhu vane mitsipa mikukutu.
  5172. Deu 9:14 Ndirege kuti ndivaparadze, uye ndidzime zita ravo kubva pasi pematenga; zvino ndichakuita uve rudzi rwune simba uye rwakawanda kuvapfuura.
  5173. Deu 9:15 Zvino ndakatendeuka ndikaburuka mugomo; gomo ndokupfuta nemoto; zvino mahwendefa maviri esungano aiva mumaoko angu maviri.
  5174. Deu 9:16 Zvino ndakatarira, zvino tarira, maiva matadzira Jehovha Mwari wenyu; mazviitira mhuru yakaumbwa nekunyungudusa; maiva makurumidza kutsauka kubva munzira Jehovha yaakakurairai.
  5175. Deu 9:17 Zvino ndakabata mahwendefa maviri, ndokuarasa kubva mumaoko angu, ndokuaputsa pamberi pemeso enyu.
  5176. Deu 9:18 Zvino ndakawira pasi pameso aJehovha sepakutanga, mazuva makumi mana neusiku makumi mana; handina kudya chingwa kana kunwa mvura, nekuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakatadza pakuita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
  5177. Deu 9:19 Nokuti ndakatya kutsamwa nekupfuta Jehovha kwaaiva akutsamwirai nako kukuparadzai; asi Jehovha wakandinzwawo panguva iyo.
  5178. Deu 9:20 Zvino Jehovha waiva akatsamwirawo zvikuru Aroni kuti amuparadze; asi ndikanyengetererawo Aroni panguva iyo.
  5179. Deu 9:21 Zvino ndakatora chivi chenyu, mhuru yamaiva maita, ndokuipisa nemoto, ndokuipwanya, ndichiikuisisa kusvika yava diki seguruva; zvino ndakakandira guruva rayo murukova rwaiburuka kubva mugomo.
  5180. Deu 9:22 NepaTabhera nepaMasa nepaKibhuroti-Hatava maitsamwisa Jehovha.
  5181. Deu 9:23 Neapo Jehovha paakutumai kubva paKadheshi-Bharineya, achiti: Kwirai mugare nhaka yenyika yandakakupai, zvino makamukira murairo waJehovha Mwari wenyu, uye hamuna kumutenda kana kuteerera kuinzwi rake.
  5182. Deu 9:24 Maiva vanomukira Jehovha kubva pazuva rekukuzivai kwangu.
  5183. Deu 9:25 Zvino ndakazviwisira pasi pamberi paJehovha mazuva makumi mana neusiku makumi mana, andakazviwisira pasi nawo; nokuti Jehovha waiva ati achakuparadzai.
  5184. Deu 9:26 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha ndokuti: Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikinura neukuru hwenyu, vamakabudisa kubva muEgipita neruoko rwune simba.
  5185. Deu 9:27 Rangarirai varanda venyu, Abhurahama, Isaka, naJakove; musatarisa nharo dzevanhu ava nekuipa kwavo nechivi chavo;
  5186. Deu 9:28 zvimwe nyika yamakatibudisa mairi iti: Nekuda kwekuti Jehovha waiva asingakwanisi kuvapinza munyika yaakavavimbisa, uye nokuti waiva achivavenga, wakavabudisa kuti avauraire murenje.
  5187. Deu 9:29 Ivo vanhu venyu uye nhaka yenyu, vamakabudisa nesimba renyu guru uye neruoko rwenyu rwakatandavadzwa.
  5188. Deu 10:1 Panguva iyo Jehovha wakati kwandiri: Zvivezere mahwendefa maviri emabwe akafanana neekutanga, ugokwira kwandiri kugomo; ugozviitira areka yematanda.
  5189. Deu 10:2 Zvino ndichanyora pamahwendefa mashoko aiva pamahwendefa ekutanga awakaputsa; ugoaisa muareka.
  5190. Deu 10:3 Zvino ndakaita areka yematanda emuakasia, ndokuveza mahwendefa maviri emabwe akafanana neekutanga, ndokukwira mugomo, nemahwendefa maviri ari muruoko rwangu.
  5191. Deu 10:4 Zvino wakanyora pamahwendefa zvichienderana nekunyora kwekutanga, mirairo gumi, Jehovha yaakataura kwamuri mugomo kubva mukati memoto pazuva reungano; Jehovha ndokuapa kwandiri.
  5192. Deu 10:5 Zvino ndakatendeuka ndokuburuka mugomo, ndokuisa mahwendefa muareka yandaiva ndaita. Zvino aripo ipapo, Jehovha sezvaakandiraira.
  5193. Deu 10:6 Zvino vana vaIsraeri vakabva paBheeroti-Bhene-Jakani kuenda kuMosera; ipapo Aroni wakafa, ndokuvigwapo; Eriazari mwanakomana wake ndokushumira paupristi panzvimbo yake.
  5194. Deu 10:7 Vachibvapo vakaenda kuGudhigodha; uye kubva paGudhigodha vakaenda kuJotibhati, nyika yehova dzemvura.
  5195. Deu 10:8 Panguva iyo Jehovha wakatsaura rudzi rwaRevhi kutakura areka yesungano yaJehovha, kumira pamberi paJehovha, kumushumira, nekuropafadza muzita rake, kusvika nhasi.
  5196. Deu 10:9 Naizvozvo Revhi haana mugove kana nhaka pamwe nehama dzake; Jehovha inhaka yake, Jehovha Mwari wako sezvaakamuvimbisa.
  5197. Deu 10:10 Zvino ini ndakagara mugomo sepamazuva ekutanga, mazuva makumi mana neusiku makumi mana; Jehovha ndokundinzwa panguva iyowo; Jehovha akasada kukuparadza.
  5198. Deu 10:11 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Simuka enda parwendo pamberi pevanhu, kuti vapinde vagare nhaka yenyika, yandakapikira kumadzibaba avo kupa kwavari.
  5199. Deu 10:12 Zvino ikozvino, Israeri, chii Jehovha Mwari wako chaanoda kwauri, kunze kwekutya Jehovha Mwari wako, kufamba munzira dzake dzose, nekumuda, nekushumira Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose,
  5200. Deu 10:13 kuchengeta mirairo yaJehovha nezvimiso zvake zvandinokuraira nhasi kuti zvikunakire?
  5201. Deu 10:14 Tarira, matenga, nematenga ematenga, nyika, nezvose zviri mairi, ndezvaJehovha Mwari wako.
  5202. Deu 10:15 Koga Jehovha wakafarira madzibaba ako kuvada, ndokusarudza mbeu yavo shure kwavo, iyemwi, kubva pamarudzi ose, sanhasi.
  5203. Deu 10:16 Naizvozvo dzingisai chikanda chepamberi chemoyo wenyu, musachiomesa mutsipa wenyu.
  5204. Deu 10:17 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wevamwari, naIshe wemadzishe, Mwari mukuru, ane masimba, uye anotyisa, asingasaruri zviso, kana kugamuchira fufuro.
  5205. Deu 10:18 Anotongera nherera nechirikadzi zvakarurama, uye anoda mutorwa pakumupa zvekudya nenguvo.
  5206. Deu 10:19 Naizvozvo muchada mutorwa, nokuti maiva vatorwa munyika yeEgipita.
  5207. Deu 10:20 Uchatya Jehovha Mwari wako; uchashumira iye, uye uchanamatira paari, uye uchapika nezita rake.
  5208. Deu 10:21 Ndiye rumbidzo yako, uye ndiMwari wako, wakakuitira zvinhu izvi zvikuru uye zvinotyisa, meso ako zvaakaona.
  5209. Deu 10:22 Madzibaba ako akaburukira kuEgipita ane vanhu makumi manomwe; zvino ikozvino Jehovha Mwari wako wakakuita uve senyeredzi dzematenga pakuwanda.
  5210. Deu 11:1 Naizvozvo uchada Jehovha Mwari wako, nekuchengeta mutemo wake nezvimiso zvake nemitongo yake nemirairo yake mazuva ose.
  5211. Deu 11:2 Zvino zivai nhasi, nokuti handitauri nevana venyu vasina kuziva, uye vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu, ukuru hwake, chanza chake chine simba, neruoko rwake rwakatandavadzwa,
  5212. Deu 11:3 nezviratidzo zvake, nezviito zvake, zvaakaita mukati meEgipita kuna Farao mambo weEgipita nekunyika yake yose;
  5213. Deu 11:4 nezvaakaita kuhondo yeEgipita, kumabhiza avo, uye kungoro dzavo; wakaita sei mvura yeGungwa Dzvuku kukukura pazviso zvavo ivo pavakateverera shure kwako; Jehovha ndokuvaparadza kusvika nhasi.
  5214. Deu 11:5 Nezvaakaita kwamuri murenje, kusvika masvika panzvimbo ino.
  5215. Deu 11:6 Nezvaakaita kuna Dhatani nekuna Abhiramu vanakomana vaEriabhu mwanakomana waRubheni; mashamisiro akaita nyika muromo wayo, ndokuvamedza, nevedzimba dzavo, nematende avo, nenhumbi dzose dzaiva dzavo pakati paIsraeri wose.
  5216. Deu 11:7 Asi meso enyu ndiwo anoona zviito zvose zvikuru zvaJehovha zvaakaita.
  5217. Deu 11:8 Naizvozvo munofanira kuchengeta mirairo yose yandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mugare nhaka yenyika iyo kwamunoyambuka kunoiita yenyu;
  5218. Deu 11:9 uye kuti mugorebesa mazuva panyika, Jehovha yaakapikira madzibaba enyu, kupa kwavari nekuchizvarwa chavo, nyika inoyerera mukaka neuchi.
  5219. Deu 11:10 Nokuti nyika kwaunoenda kunoiita yako, haina kufanana nenyika yeEgipita, kwamakabuda, kwawaidzvara mbeu dzako, uchidzidiridza netsoka dzako, semunda wemiriwo.
  5220. Deu 11:11 Asi nyika yamunoyambukira kwairi kuigara nhaka inyika yemakomo nemipata; inonwa mvura pamvura inonaya yematenga;
  5221. Deu 11:12 inyika Jehovha Mwari wako yaanochengeta; meso aJehovha Mwari wako ari pamusoro payo nguva dzose, kubva pakutanga kwegore kusvika pakupedzisira kwegore.
  5222. Deu 11:13 Zvino zvichaitika, kana mukateerera kwazvo kumirairo yangu yandinokurairai nhasi, kuda Jehovha Mwari wenyu, nekumushumira nemoyo wenyu wose uye nemweya wenyu wose,
  5223. Deu 11:14 kuti ndichapa mvura yenyika yenyu panguva yayo, mvura yekutanga nemvura yekupedzisira, kuti uunganidze zviyo zvako, newaini yako itsva, nemafuta ako.
  5224. Deu 11:15 Zvino ndichapa uswa kuzvipfuwo zvako pamafuro ako, uye uchadya ugoguta.
  5225. Deu 11:16 Zvichenjererei kuti moyo yenyu irege kunyengerwa mutsauke ndokushumira vamwe vamwari, ndokuvanamata;
  5226. Deu 11:17 kuti hasha dzaJehovha dzikupfutirei, uye apfige matenga, kuti kusava nemvura yekunaya, nenyika isapa goho rayo, zvino muparare nekukurumidza kubva panyika yakanaka Jehovha yaanokupai.
  5227. Deu 11:18 Zvino muchaisa mashoko angu awa pamoyo penyu nemumweya weupenyu wenyu; mugoasungira kuva chiratidzo paruoko rwenyu, kuti ave sevundanyara pakati pemeso enyu.
  5228. Deu 11:19 Uye muchaadzidzisa vana venyu, muchitaura nezvawo kana wakagara muimba yako, uye paunofamba panzira, uye paunorara pasi, nepaunomuka.
  5229. Deu 11:20 Zvino uchaanyora pamagwatidziro eimba yako nepamasuwo ako;
  5230. Deu 11:21 kuti mazuva enyu awande, nemazuva evana venyu, panyika Jehovha yaakapikira madzibaba enyu kuvapa, semazuva ekumatenga pamusoro penyika.
  5231. Deu 11:22 Nokuti kana mukachengeta kwazvo mirairo iyi yose yandinokurairai, kuiita, kuda Jehovha Mwari wenyu, kufamba munzira dzake dzose, uye kumunamatira;
  5232. Deu 11:23 ipapo Jehovha achadzinga ndudzi idzi dzose kubva pamberi penyu, uye muchagara nhaka yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuurai.
  5233. Deu 11:24 Nzvimbo imwe neimwe pachatsika pasi perutsoka rwenyu ichava yenyu, kubva murenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Furati, nekusvika kugungwa rekupedzisira, uchava muganhu wako.
  5234. Deu 11:25 Hakuna munhu achamira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu achaisa kutyisa kwenyu nekuvhundusa kwenyu pamusoro penyika yose yamuchatsika pairi, sezvaakataura kwamuri.
  5235. Deu 11:26 Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu ropafadzo nekutukwa;
  5236. Deu 11:27 ropafadzo kana mukateerera mirairo yaJehovha Mwari wenyu yandinokurairai nhasi;
  5237. Deu 11:28 nekutukwa kana musingateereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokurairai nhasi, kutevera vamwe vamwari vamusina kuziva.
  5238. Deu 11:29 Zvino zvichaitika Jehovha Mwari wako paanokupinza panyika yaunoenda kuigara nhaka, kuti uchaisa ropafadzo pamusoro pegomo Gerizimi, nekutukwa pamusoro pegomo Ebhari.
  5239. Deu 11:30 Ko haasi mhiri kwaJoridhani, shure kwenzira yekumavirazuva, munyika yevaKenani, vagere pamapani pakatarisana neGirigari, pedo nemiouki yeMore?
  5240. Deu 11:31 Nokuti muchayambuka Joridhani kupinda kugara nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanokupai; zvino muchaigara nhaka ndokugara mairi.
  5241. Deu 11:32 Chenjerai kuti muite zvimiso nemitongo zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.
  5242. Deu 12:1 Ndizvo zvimiso nemitongo zvamuchaongorora kuita munyika Jehovha Mwari wemadzibaba ako yaanokupa kuigara nhaka, mazuva ose amunorarama panyika.
  5243. Deu 12:2 Muchaparadza kwazvo nzvimbo dzose, marudzi amuchagara nhaka paakashumira vamwari vawo, pamusoro pemakomo marefu nepamusoro pezvikomo uye pasi pemiti yakasvibirira yose.
  5244. Deu 12:3 Zvino muchaputsanya aritari dzavo, nekuputsa shongwe dzavo, nekupisa matanda avo ekunamata nawo nemoto, mutemere pasi zvifananidzo zvavamwari vavo zvakavezwa, nekuparadza zita ravo kubva panzvimbo iyo.
  5245. Deu 12:4 Musaita saizvozvo kuna Jehovha Mwari wenyu.
  5246. Deu 12:5 Asi panzvimbo Jehovha Mwari wenyu yaachasarudza pakati pemarudzi enyu ose kuisa zita rakepo, muchatsvaka kunzvimbo yake yekugara, uye uchaendako,
  5247. Deu 12:6 muunzepo zvipo zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nechipo chinosimudzwa cheruoko rwenyu, nemhiko dzenyu, nezvipo zvekuzvidira zvenyu, nematangwe emombe dzenyu neemakwai enyu.
  5248. Deu 12:7 Zvino muchadyapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, uye makafara nechose chamakaisa ruoko rwenyu kwachiri, imwi nedzimba dzenyu, Jehovha Mwari wenyu chaakakuropafadzai pachiri.
  5249. Deu 12:8 Hamungaiti sezvose zvatinoita pano nhasi, umwe neumwe chero chipi chakanaka pameso ake.
  5250. Deu 12:9 Nokuti hamusati masvika pazororo nepanhaka Jehovha Mwari wako yaanokupa.
  5251. Deu 12:10 Pamunenge mayambuka Joridhani, uye magara munyika Jehovha Mwari wenyu yaanokugarisai nhaka, uye akupai zororo pavavengi venyu vose vakapoteredza, uye magara makachengetedzeka,
  5252. Deu 12:11 ipapo pachava nenzvimbo Jehovha Mwari wenyu yaachasarudza kugarisa zita rakepo. Ipapo muchaunza zvose zvandakakurairai: Zvipo zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, zvegumi zvenyu, nechipo chinosimudzwa cheruoko rwenyu, nemhiko dzakanakisa dzenyu dzose, dzamuchapikira Jehovha.
  5253. Deu 12:12 Zvino muchafara pamberi paJehovha Mwari wenyu, imwi, nevanakomana venyu, nevanasikana venyu, nevarandarume venyu, nevarandakadzi venyu, nemuRevhi ari mukati memasuwo enyu, nokuti haana mugove nenhaka nemwi.
  5254. Deu 12:13 Zvichenjerere kuti usapa zvipo zvako zvinopiswa panzvimbo ipi neipi yaunoona.
  5255. Deu 12:14 Asi panzvimbo Jehovha yaachasarudza pane rumwe rwemarudzi ako, ipapo uchapa zvipo zvako zvinopiswa, uye ipapo uchaita zvose zvandinokuraira.
  5256. Deu 12:15 Asi sechido chose chemweya weupenyu wako ungabaya nekudya nyama mukati memasuwo ako ose, zvichienderana neropafadzo yaJehovha Mwari wako yaakakupa; asina kuchena newakachena angaidya, seyemhara neyenondo.
  5257. Deu 12:16 Koga musadya ropa; muchariteurira pavhu semvura.
  5258. Deu 12:17 Haungadyiri mukati memasuwo ako chegumi chezviyo zvako, kana chewaini yako itsva, kana chemafuta ako, kana matangwe emombe dzako neemakwai ako, kana mhiko ipi neipi yaunopika, kana zvipo zvako zvekuzvidira, kana chipo chinosimudzwa cheruoko rwako.
  5259. Deu 12:18 Asi uchazvidya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza, iwe nemwanakomana wako nemwanasikana wako, nemurandarume wako nemurandakadzi wako, nemuRevhi ari mumasuwo ako; zvino uchafara pamberi paJehovha Mwari wako pachose chaunoisa ruoko rwako pachiri.
  5260. Deu 12:19 Zvichenjerere kuti usasiya muRevhi mazuva ako ose panyika yako.
  5261. Deu 12:20 Apo Jehovha Mwari wako achikurisa muganhu wako, sezvaakataura kwauri, zvino uchati: Ndichadya nyama; nokuti moyo wako unoshuva kudya nyama, pachishuvo chose chemweya weupenyu wako uchadya nyama.
  5262. Deu 12:21 Kana nzvimbo Jehovha Mwari wako yaakasarudza kuisa zita rakepo iri kuresa newe, zvino uchabaira pamombe dzako kana pamakwai ako Jehovha zvaakakupa, sezvandakakuraira, zvino uchadya mumasuwo ako zvichienderana nechose chishuvo chemweya weupenyu wako.
  5263. Deu 12:22 Asi sezvinodyiwa mhara nenondo saizvozvo uchazvidya; asina kuchena neakachena vachazvidya pamwe.
  5264. Deu 12:23 Koga iva nechokwadi kuti haudyi ropa, nokuti ropa upenyu; zvino usadya upenyu pamwe nenyama.
  5265. Deu 12:24 Usaridya; uchariteura pavhu semvura.
  5266. Deu 12:25 Usaridya, kuti zvikunakire nevana vako shure kwako, pauchaita zvakarurama pameso aJehovha.
  5267. Deu 12:26 Koga zvinhu zvitsvene zvaunazvo nemhiko dzako uchazvitora ugoenda munzvimbo Jehovha yaachasarudza.
  5268. Deu 12:27 Zvino uchapa zvipo zvako zvinopiswa, nyama neropa, pamusoro pearitari yaJehovha Mwari wako; neropa rezvibairo zvako richateurirwa pamusoro pearitari yaJehovha Mwari wako; nenyama uchaidya.
  5269. Deu 12:28 Chenjerera ugonzwa mashoko awa ose andinokuraira, kuti zvikunakire nevana vako shure kwako nekusingaperi, paunoita zvakanaka nezvakarurama pameso aJehovha Mwari wako.
  5270. Deu 12:29 Apo Jehovha Mwari wako achagura marudzi kubva pamberi pako paunoenda kugara nhaka yawo, apo wadya nhaka yawo wagara munyika yawo,
  5271. Deu 12:30 uzvichenjerere, zvimwe ungateyiwa kuatevera, shure kwekuparadzwa kwawo pamberi pako, uye kuti usabvunza kuna vamwari vawo uchiti: Marudzi awa anoshumira sei vamwari vawo? Neni ndichaita saizvozvo.
  5272. Deu 12:31 Haungaitiri saizvozvo Jehovha Mwari wako; nokuti chinyangadzo chimwe nechimwe kuna Jehovha chaanovenga vakachiitira vamwari vavo; nokuti kunyange vanakomana vavo nevanasikana vavo vakavapisira vamwari vavo nemoto.
  5273. Deu 12:32 Chinhu chose chandinokurairai chenjerai kuchiita; musawedzera pachiri kana kutapudza pachiri.
  5274. Deu 13:1 Kana kukamuka muporofita kana muroti wehope pakati pako, ndokukupa chiratidzo kana chishamiso,
  5275. Deu 13:2 zvino icho chiratidzo kana chishamiso chikaitika chaakataura kwauri achiti: Ngatitevere vamwe vamwari vausina kuziva uye ngativashumire;
  5276. Deu 13:3 usateerera kumashoko emuporofita uyo kana kumuroti wehope uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokuidzai, kuti azive kuti munomuda here Jehovha Mwari wenyu nemoyo wenyu wose uye nemweya weupenyu wenyu wose.
  5277. Deu 13:4 Jehovha Mwari wenyu muchamutevera, uye muchatya iye, nemirairo yake muchachengeta, uye inzwi rake muchateerera, uye muchashumira iye, nekunamata iye.
  5278. Deu 13:5 Zvino muporofita uyo kana muroti wehope uyo ngaaurawe; nokuti wakataura kukutsausa kubva pana Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai kubva panyika yeEgipita, nekukudzikinurai kubva muimba yeuranda; kukutinhirai kunze kwenzira Jehovha Mwari wako yaakakuraira kufamba mairi. Saizvozvo uchabvisa kuipa kubva pakati pako.
  5279. Deu 13:6 Kana munin’ina kana mukoma wako, mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi wepachifuva chako, kana shamwari yako yakaita semweya weupenyu wako, akakukwezva pakavanda achiti: Ngatiende tinoshumira vamwe vamwari vausina kuziva iwe kana madzibaba ako,
  5280. Deu 13:7 chevamwari vevanhu vakakupoteredzai, vari pedo newe kana kure newe, kubva pane rumwe rutivi rwenyika kusvika kune rumwe rutivi rwenyika.
  5281. Deu 13:8 Usamutendera uye usateerera kwaari; ziso rako risamunzwira tsitsi, uye usamurega, uye usamuvanza.
  5282. Deu 13:9 Asi uchamuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako rwuchava rwekutanga kumuuraya, zvino pashure ruoko rwevanhu vose.
  5283. Deu 13:10 Zvino uchamutaka nemabwe kuti afe, nokuti watsvaka kukutinhira kure naJehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeEgipita paimba yeuranda.
  5284. Deu 13:11 Zvino Israeri wose achazvinzwa, ndokutya, uye haangaitizve seichi chinhu chakaipa pakati pako.
  5285. Deu 13:12 Kana ukanzwa kune rimwe remaguta ako Jehovha Mwari wako aanokupa kugaramo kuchinzi:
  5286. Deu 13:13 Varume, vana vaBheriari, vanobuda kubva pakati pako, uye vasundidzira vagari veguta ravo vachiti: Handei tinoshumira vamwe vamwari vamusina kuziva.
  5287. Deu 13:14 Zvino uchatsvaka, ndokutsvakisisa, ndokubvunza zvakanaka; tarira, kana chiri chokwadi, chinhu icho ndechechokwadi, chinyangadzo ichi chakaitwa pakati pako,
  5288. Deu 13:15 ucharova kwazvo vagari veguta iro nekwakapinza kwemunondo, uchiriparadza chose, nechose chiri mariri, nezvipfuwo zvaro, nekwakapinza kwemunondo.
  5289. Deu 13:16 Zvino uchaunganidza chakapambiwa charo chose pakati pemugwagwa waro, uye uchapisa guta nemoto nechakapambiwa charo chose zvachose, kuna Jehovha Mwari wako; zvino richava dutu rinhi narinhi; haringavakwizve.
  5290. Deu 13:17 Zvino pasanamatira paruoko rwako chimwe chezvakatukwa, kuti Jehovha adzoke pakupfuta kwekutsamwa kwake, uye akupe ngoni, agokunzwira tsitsi, nekukuwanza, sezvaakapikira madzibaba ako;
  5291. Deu 13:18 kana ukateerera kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuchengeta mirairo yake yose yandinokuraira nhasi, kuita zvakarurama pameso aJehovha Mwari wako.
  5292. Deu 14:1 Muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Hamungazvicheki uye hamungaiti mhanza pakati pemeso enyu nekuda kweakafa.
  5293. Deu 14:2 Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; uye Jehovha wakakusarudza kuva rudzi rwefuma yakasanangurwa kwaari kubva pamarudzi ose ari pamusoro penyika.
  5294. Deu 14:3 Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.
  5295. Deu 14:4 Idzi imhuka dzamungadya: Nzombe, gwai, nembudzi;
  5296. Deu 14:5 nondo, nemhara, nemhembwe, nembudzi yemusango, nemharapara, nemombe yemusango, nengururu.
  5297. Deu 14:6 Nemhuka ipi neipi yakaparadzanisa mahwanda, inoparadzanisa zvakaparadzana kuva mahwanda maviri, inodzeya pakati pemhuka, iyo mungadya.
  5298. Deu 14:7 Asi idzi hamungadzidyi pane dzinodzeya uye pane dzinoparadzanisa mahwanda akaparadzana: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya asi hadziparadzanisi mahwanda; hadzina kuchena kwamuri.
  5299. Deu 14:8 Nenguruve, nokuti inoparadzanisa mahwanda asi haidzeyi; haina kuchena kwamuri; musadya zvenyama yadzo, uye musagunzva zvitunha zvadzo.
  5300. Deu 14:9 Izvi muchadya pane zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvipapiro nemakwanda mungadya.
  5301. Deu 14:10 Asi chipi nechipi chisina zvipapiro nemakwanda musazvidya; hazvina kuchena kwamuri.
  5302. Deu 14:11 Shiri dzose dzakachena mungadya.
  5303. Deu 14:12 Asi hamungadyi pane idzi: Gora, negondo, nenyamudzura,
  5304. Deu 14:13 nerukodzi, nenjerere, neruvangu nemarudzi arwo,
  5305. Deu 14:14 negunguvo ripi neripi nemarudzi aro,
  5306. Deu 14:15 nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, neruvangu nemarudzi arwo,
  5307. Deu 14:16 nezizi diki, nekanyurura-hove, nezizi guru,
  5308. Deu 14:17 nekondo, nejichidza, nekateveteve,
  5309. Deu 14:18 neshuramurove, nekondo nemarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
  5310. Deu 14:19 Nezvipembenene zvose zvine mapapiro hazvina kuchena kwamuri; hazvidyiwi.
  5311. Deu 14:20 Shiri dzose dzakachena mungadzidya.
  5312. Deu 14:21 Musadya chitunha chipi nechipi; uchachipa kumweni ari mukati memasuwo ako, kuti achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
  5313. Deu 14:22 Uchapa zvirokwazvo chegumi chechibereko chose chembeu dzako, munda waunochibereka gore negore.
  5314. Deu 14:23 Zvino uchadya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kuisa zita rakepo, chegumi chezviyo zvako, nechewaini itsva yako, nechemafuta ako, nechematangwe emombe dzako neemakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako mazuva ose.
  5315. Deu 14:24 Zvino kana nzira yakarebesa kwauri zvekuti haugoni kuzvitakura, nokuti iri kuresa newe nzvimbo Jehovha Mwari wako yaakasarudza kuisa zita rakepo, kana Jehovha Mwari wako akuropafadza,
  5316. Deu 14:25 ipapo uchazvishandura zvive mari, usungire mari muruoko rwako, ugoenda kunzvimbo Jehovha Mwari wako yaakasarudza,
  5317. Deu 14:26 ndokushandisa mari iyo chingava chipi mweya weupenyu wako chaunoshuva, mombe kana makwai kana waini kana zvinwiwa zvinodhaka kana chingava chipi mweya weupemyu wako chaunoshuva, zvino uchadyirapo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare iwe neimba yako.
  5318. Deu 14:27 Uye muRevhi ari mukati memasuwo ako, usamusiya, nokuti haana mugove kana nhaka newe.
  5319. Deu 14:28 Pakupera kwemakore matatu uchabudisa chegumi chose chezvibereko zvako mugore iro, ugozviisa mukati memasuwo ako.
  5320. Deu 14:29 Zvino muRevhi, sezvo asina mugove kana nhaka pamwe newe, nemweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati memasuwo ako, vachauya vadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pabasa rose reruoko rwako raunoita.
  5321. Deu 15:1 Pakupera kwemakore manomwe muchaita sununguro.
  5322. Deu 15:2 Zvino iyi inzira yesununguro: Mukweretesi umwe neumwe anokweretesa kune umwe wake achasunungura; haabati nesimba kune wekwake kana kuhama yake; nokuti kwakadanidzirwa sununguro kuna Jehovha.
  5323. Deu 15:3 Kumutorwa ungabata nesimba; asi chako chiri kuhama yako ruoko rwako rwuchasunungura;
  5324. Deu 15:4 koga kuti kusava nemurombo pakati pako; nokuti Jehovha achakuropafadza kwazvo panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka kuigara nhaka;
  5325. Deu 15:5 koga kana uchiteerera kwazvo kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuongorora kuita mirairo iyi yose yandinokuraira nhasi.
  5326. Deu 15:6 Nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza sezvaakataura kwauri; zvino uchakweretesa kumarudzi mazhinji, asi iwe haungakwereti; uye uchatonga pamusoro pemarudzi mazhinji, uye havangatongi pamusoro pako.
  5327. Deu 15:7 Kana kune murombo kwauri, kubva pane umwe weumwe wehama dzako mukati merimwe nerimwe remasuwo ako munyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa, usaomesa moyo wako, kana kuvharira ruoko rwako kubva kuhama yako murombo.
  5328. Deu 15:8 Asi uchamuzarurira kwazvo ruoko rwako, ugomukwereta kwazvo zvinokwana pakushaiwa kwake kwaanoshaiwa.
  5329. Deu 15:9 Zvichenjerere, zvimwe kuve neshoko mumoyo mako raBheriari richiti: Gore rechinomwe, gore resununguro rava pedo; ziso rako rigova rakaipa kupikisana neumwe wako murombo, kuti usamupa; zvino acheme newe kuna Jehovha, ndokuva chivi kwauri.
  5330. Deu 15:10 Uchamupa zvirokwazvo, nemoyo wako haungarwadziwi kana uchipa kwaari; nokuti nekuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza pamabasa ako ose nepachose chaunoisa ruoko rwako pachiri.
  5331. Deu 15:11 Nokuti varombo havangatongoperi pakati penyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti: Uchazarurira kwazvo hama yako ruoko rwako, kumurombo wako, nekune anoshaiwa wako munyika yako.
  5332. Deu 15:12 Kana hama yako, muHebheru murume kana muHebheru mukadzi achitengeswa kwauri, ndokukushandira makore matanhatu, ipapo mugore rechinomwe uchamurega kuti aende akasununguka abve kwauri.
  5333. Deu 15:13 Zvino kana uchimuendesa akasununguka kubva kwauri, haumuendesi asina chinhu.
  5334. Deu 15:14 Uchapa kwaari kwazvo kubva pamakwai ako, uye kubva paburiro rako, uye kubva pachisviniro chako chewaini; Jehovha Mwari wako pane zvaakakuropafadza nazvo, uchapa kwaari.
  5335. Deu 15:15 Zvino ucharangarira kuti waiva uri muranda munyika yeEgipita, Jehovha Mwari wako ndokukudzikinura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.
  5336. Deu 15:16 Zvino zvichaitika kana akati kwauri: Handingabudi kwauri; nokuti anoda iwe neimba yako, nokuti zvakamunakira anewe,
  5337. Deu 15:17 ipapo uchatora tsono ndokuboora nzeve yake nepamukova; zvino achava muranda kwauri rinhi narinhi. Uyewo kumurandakadzi wako uchaita saizvozvo.
  5338. Deu 15:18 Hazvingavi zvakaoma pameso ako kana ukamuendesa akasununguka kubva kwauri, nokuti wakakosha kakapamhidzirwa anohaiwa akakushandira makore matanhatu; uye Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pazvose zvaunoita.
  5339. Deu 15:19 Dangwe rimwe nerimwe rinozvarwa pamombe dzako nepamakwai ako, chikono uchachiita chitsvene kuna Jehovha Mwari wako; haungashandi nedangwe renzombe dzako, kana kuveura dangwe remakwai ako.
  5340. Deu 15:20 Uchazvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore negore panzvimbo Jehovha yaachasarudza, iwe neimba yako.
  5341. Deu 15:21 Zvino kana pachiri pane chipomerwa, chirema, kana bofu, chipomerwa chipi nechipi chakaipa, usachibaira kuna Jehovha Mwari wako.
  5342. Deu 15:22 Uchachidya mukati memasuwo ako; wakachena neasina kuchena pamwe chete, semhara uye senondo.
  5343. Deu 15:23 Koga ropa racho usaridya; uchariteurira pavhu semvura.
  5344. Deu 16:1 Chengetedza mwedzi waAbhibhi, uye uitire Jehovha Mwari wako pasika; nokuti nemwedzi waAbhibhi Jehovha Mwari wako wakakubudisa panyika yeEgipita pausiku.
  5345. Deu 16:2 Naizvozvo uchabaira Jehovha Mwari wako pasika, makwai nemombe, panzvimbo Jehovha yaachasarudza kugarisa zita rakepo.
  5346. Deu 16:3 Usadya chingwa chakaviriswa pamwe nayo. Mazuva manomwe uchadya chingwa chisina kuviriswa pamwe nayo, chingwa chedambudziko; nokuti wakabuda kubva munyika yeEgipita nekukurumidza; kuti urangarire zuva rawakabuda kubva munyika yeEgipita mazuva ose eupenyu hwako.
  5347. Deu 16:4 Zvino hakungaonekwi mbiriso kwauri mazuva manomwe pamiganhu yako yose; uye zvenyama yamunobaira zuva rekutanga madekwani hazvingasari usiku kusvika mangwanani.
  5348. Deu 16:5 Haugoni kubaira pasika mukati merimwe remasuwo ako Jehovha Mwari wako raanokupa.
  5349. Deu 16:6 Asi panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza kugarisa zita rakepo, ipapo uchabaira pasika madekwani, pakuvira kwezuva, panguva yakatarwa yekubuda kwako muEgipita.
  5350. Deu 16:7 Zvino uchabika ndokudya panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza. Uye mangwanani uchatendeuka uende kumatende ako.
  5351. Deu 16:8 Mazuva matanhatu uchadya chingwa chisina kuviriswa; uye nezuva rechinomwe iungano yakadzama kuna Jehovha Mwari wako; usaita basa.
  5352. Deu 16:9 Uchazviverengera mavhiki manomwe. Tanga kuverenga mavhiki manomwe kubva pakutanga kwejekeso pazviyo zvimire.
  5353. Deu 16:10 Zvino uchachengetedzera Jehovha Mwari wako mutambo wemavhiki, chipo chekuzvidira cheruoko rwako, chauchapa, Jehovha Mwari wako sezvaakakuropafadza.
  5354. Deu 16:11 Zvino uchafara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe, nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, nemurandarume wako, nemurandakadzi wako, nemuRevhi ari mukati memasuwo ako, nemweni, nenherera, nechirikadzi, vari pakati pako, panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza kugarisa zita rakepo.
  5355. Deu 16:12 Zvino ucharangarira kuti waiva muranda muEgipita; uye uchachengetedza nekuita zvimiso izvi.
  5356. Deu 16:13 Mutambo wematumba uchazviitira mazuva manomwe, pakuunganidza paburiro rako nepachisviniro chako chewaini.
  5357. Deu 16:14 Zvino uchafara pamutambo wako, iwe, nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, nemurandarume wako, nemurandakadzi wako, nemuRevhi, nemweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati memasuwo ako.
  5358. Deu 16:15 Mazuva manomwe uchachengetedzera Jehovha Mwari wako mutambo panzvimbo Jehovha yaachasarudza; nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza pazvibereko zvako zvose, nepamabasa ose emaoko ako; zvino uchafara zvirokwazvo.
  5359. Deu 16:16 Katatu pagore munhurume wako wose achaonekwa pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza: Pamutambo wechingwa chisina kuviriswa, nepamutambo wemavhiki, nepamutambo wematumba; zvino haangaonekeri pamberi paJehovha asina chinhu.
  5360. Deu 16:17 Umwe neumwe zvichienderana nechipo cheruoko rwake, zvichienderana neropafadzo yaJehovha Mwari wako, yaakakupa.
  5361. Deu 16:18 Vatongi nevatungamiriri uchazviisira pamasuwo ako ose Jehovha Mwari wako aanokupa, pamarudzi ako; uye vachatonga vanhu nekutonga kwakarurama.
  5362. Deu 16:19 Usatsausa mutongo; usatarira zviso; uye usatora fufuro, nokuti fufuro inopofumadza meso evakachenjera nekuminamisa mashoko evakarurama.
  5363. Deu 16:20 Kururama, kururama uchakuteverera, kuti urarame ugogara nhaka yenyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.
  5364. Deu 16:21 Usazvisimira danda rekunamata naro remuti upi neupi pedo nearitari yaJehovha Mwari wako yauchazviitira.
  5365. Deu 16:22 Uye usazvimisira shongwe yechifananidzo Jehovha Mwari wako yaanovenga.
  5366. Deu 17:1 Usabaira Jehovha Mwari wako nzombe kana gwai pariri pane chipomerwa, chipi nechipi chakaipa, nokuti chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.
  5367. Deu 17:2 Kana kukawanikwa pakati pako, mukati meripi neripi remasuwo ako Jehovha Mwari wako aanokupa, murume kana mukadzi wakaita zvakaipa pameso aJehovha Mwari wako, pakudarika sungano yake,
  5368. Deu 17:3 ndokuenda ndokushumira vamwe vamwari, ndokuvanamata, kana zuva, kana mwedzi, kana hondo ipi neipi yekumatenga, chandisina kuraira;
  5369. Deu 17:4 zvino zvikaudzwa kwauri, zvino ukanzwa ndokubvunzisisa, zvino tarira, ichokwadi, chinhu chechokwadi, chinyangadzo ichi chakaitwa kwaIsraeri;
  5370. Deu 17:5 ipapo uchabudisa murume uyo kana mukadzi uyo vakaita chinhu icho chakaipa kumasuwo ako, murume kana mukadzi; zvino uchavataka nemabwe vagofa.
  5371. Deu 17:6 Nemuromo wezvapupu zviviri, kana zvapupu zvitatu, uyo wakafanira kufa achaurawa; haangaurawi nemuromo wechapupu chimwe.
  5372. Deu 17:7 Ruoko rwezvapupu rwuchatanga kuva pamusoro pake kumuuraya, zvino pashure ruoko rwevanhu vose. Saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.
  5373. Deu 17:8 Kana pane nyaya yakarema kwazvo kwauri, pamutongo, pakati peropa neropa, pakati pekuenzanisira nekuenzanisira, uye pakati pekurova nekurova, dziri nyaya dzekupikisana mukati memasuwo ako, ipapo uchasimuka ndokukwira kunzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza.
  5374. Deu 17:9 Zvino uchauya kuvapristi vaRevhi, nekumutongi achavapo pamazuva iwawo, ugobvunza; zvino vachakuudza murango wemutongo.
  5375. Deu 17:10 Zvino uchaita zvinoenderana nemurango wavachakuudza kubva panzvimbo iyo Jehovha yaachasarudza; zvino uchachengeta kuti uite zvinoenderana nezvose zvavanokudzidzisa.
  5376. Deu 17:11 Uchaita zvichienderana nemurango wemurairo wavachakudzidzisa, uye zvichienderana nemutongo wavachakuudza; haungatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kubva pashoko ravanotaura kwauri.
  5377. Deu 17:12 Nemunhu anoita nekuzvikudza kuti asateerera kumupristi amire kushumirapo Jehovha Mwari wako, kana kumutongi, munhu uyo achafa; uye iwe uchabvisa chakaipa kubva pana Israeri.
  5378. Deu 17:13 Zvino vanhu vose vachazvinzwa ndokutya, vakasazozvikudzazve.
  5379. Deu 17:14 Paunosvika munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, ndokuigara nhaka, ndokugara mairi, zvino uchati: Ndichazviisira mambo semarudzi ose akandipoteredza;
  5380. Deu 17:15 umuise kwazvo ave mambo pamusoro pako, iye Jehovha Mwari wako waachasarudza. Achibva pakati pehama dzenyu umuise ave mambo pamusoro pako. Haugoni kuisa mweni pamusoro pako asiri hama yako.
  5381. Deu 17:16 Asi asazviwanzira mabhiza, kana kudzoseresa vanhu kuEgipita, kuti awanze mabhiza, Jehovha sezvaakati kwamuri: Hamungadzokerizve nenzira iyo.
  5382. Deu 17:17 Uye asazviwanzira vakadzi, kuti moyo wake usatsauka; uye asazviwanzira zvikuru sirivha negoridhe.
  5383. Deu 17:18 Zvino kuchati paanogara pachigaro cheumambo hwake, kuti achazvinyorera dzokororo yemurairo uyu mubhuku, unobva pazviri pamberi pevapristi vaRevhi.
  5384. Deu 17:19 Richava naye, uye achaverenga mariri mazuva ose eupenyu hwake, kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, kuchengeta mashoko ose emurairo uyu nezvimiso izvi, kuti azviite;
  5385. Deu 17:20 kuti moyo wake usazvikudza pamusoro pehama dzake, uye kuti asatsauka pamurairo kuenda kurudyi kana kuruboshwe; kuti arebese mazuva paumambo hwake, iye nevana vake, pakati paIsraeri.
  5386. Deu 18:1 Vapristi vaRevhi, rudzi rwose rwaRevhi, havangavi nemugove kana nhaka pamwe naIsraeri; vachadya zvipo zvemoto zvaJehovha nenhaka yake.
  5387. Deu 18:2 Naizvozvo havangavi nenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha inhaka yavo, sezvaakataura kwavari.
  5388. Deu 18:3 Zvino izvi zvichava faniro yevapristi kubva kuvanhu, kubva kune vanopa chibairo, ingava nzombe kana gwai; uye vachapa kumupristi bandauko neshaya mbiri nechasusu.
  5389. Deu 18:4 Zvekutanga zvezviyo zvako, zvewaini yako itsva, nezvemafuta ako, nezvekutanga zvemvere dzemakwai ako, uchapa kwaari.
  5390. Deu 18:5 Nokuti Jehovha Mwari wako wakamusarudza kubva pamarudzi ako ose, kuti amire pakushumira muzita raJehovha, iye nevanakomana vake mazuva ose.
  5391. Deu 18:6 Zvino kana muRevhi akabva kune rimwe remasuwo ako kubva kuna Israeri wose, kwaanogara semweni, akauya nechido chose chemoyo wake kunzvimbo Jehovha yaachasarudza,
  5392. Deu 18:7 ipapo achashumira muzita raJehovha Mwari wake, sehama dzake dzose vaRevhi, vakamirapo pamberi paJehovha.
  5393. Deu 18:8 Vachadya migove yakaenzana, kunze kwezvinobva pakutengeswa kwenhaka yake yemadzibaba.
  5394. Deu 18:9 Paunosvika munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, usadzidza kuita zvinoenderana nezvinyangadzo zvemarudzi awo.
  5395. Deu 18:10 Hakungawanikwi pakati pako anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto, mushandisi wekushopera, anodudzira mashura, kana anoita mashiripiti, kana muroyi,
  5396. Deu 18:11 kana mutsingi wezvitsinga, kana anobvunza masvikiro, kana anoita masaramusi, kana anobvunza vakafa.
  5397. Deu 18:12 Nokuti wose anoita zvinhu izvi chinyangadzo kuna Jehovha; uye nekuda kwezvinyangadzo izvi Jehovha Mwari wako anovadzinga panhaka pamberi pako.
  5398. Deu 18:13 Uchava wakakwana kuna Jehovha Mwari wako.
  5399. Deu 18:14 Nokuti marudzi awa auchagara nhaka, akateerera vanodudzira mashura nevashoperi; asi iwe, Jehovha Mwari wako haana kukutendera saizvozvo.
  5400. Deu 18:15 Jehovha Mwari wako achakumutsira muporofita kubva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; kwaari muchateerera;
  5401. Deu 18:16 zvichienderana nezvose zvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nezuva reungano, uchiti: Ndirege kunzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege kuzoonazve moto uyu mukuru, kuti ndisafa.
  5402. Deu 18:17 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Vaita zvakanaka zvavataura.
  5403. Deu 18:18 Ndichavamutsira muporofita kubva pakati pehama dzavo wakafanana newe; uye ndichaisa mashoko angu mumuromo make; uye achataura kwavari zvose zvandinomuraira.
  5404. Deu 18:19 Zvino zvichaitika, ani nani angarega kuteerera kumashoko angu aachataura muzita rangu, ini ndichazvibvunza kwaari.
  5405. Deu 18:20 Asi muporofita anozvikudza achitaura shoko muzita rangu, randisina kumuraira kutaura, uye anotaura muzita revamwe vamwari, muporofita uyo achafa.
  5406. Deu 18:21 Zvino kana uchiti mumoyo mako: Tichaziva sei shoko Jehovha raasina kutaura?
  5407. Deu 18:22 Panotaura muporofita muzita raJehovha, kana chinhu icho chikasaitika kana kuti chikasasvika, ndiro shoko Jehovha raasina kutaura; muporofita wakaritaura nekuzvikudza; usamutya.
  5408. Deu 19:1 Jehovha Mwari wako paanoparadza marudzi, nyika yavo Jehovha Mwari wako yaanokupa, iwe wavagara nhaka, ndokugara mumaguta avo nemudzimba dzavo;
  5409. Deu 19:2 maguta matatu uchazvitsaurira pakati penyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka.
  5410. Deu 19:3 Uchazvigadzirira nzira, ndokuganhura muganhu wenyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka, kuita migove mitatu, kuti muurayi umwe neumwe atizireko.
  5411. Deu 19:4 Zvino iyi inyaya yemuurayi angatizirako kuti ararame: Uyo anouraya wekwake nekusaziva, uye asina kumuvenga zuro namarimwezuro.
  5412. Deu 19:5 Semunhu anoenda newekwake musango kunotema huni, uye ruoko rwake ndokurova nedemo kugura muti, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokurova umwe wake zvekuti afe; iye achatizira kune rimwe remaguta awa, ararame.
  5413. Deu 19:6 Zvimwe mutsivi weropa angadzingirira shure kwemuurayi, moyo wake uchapisa, ndokumubata nokuti nzira irefu, ndokumurova upenyu; zvakadaro wanga asina mutongo werufu, nokuti waiva asina kumuvenga zuro namarimwezuro.
  5414. Deu 19:7 Naizvozvo ndinokuraira ndichiti: Uchazvitsaurira maguta matatu.
  5415. Deu 19:8 Zvino kana Jehovha Mwari wako achikurisa muganhu wako, sezvaakapikira madzibaba ako, ndokukupa nyika yose yaakavimbisa kupa madzibaba ako,
  5416. Deu 19:9 kana ukachengeta murairo uyu wose kuuita, wandinokuraira nhasi, kuda Jehovha Mwari wako, nekufamba munzira dzake mazuva ose; ipapo uchazviwedzerera amwe maguta matatu kune awa matatu;
  5417. Deu 19:10 kuti ropa risina mhosva risateurwa pakati penyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kugara nhaka, mhosva yeropa ndokuva pamusoro pako.
  5418. Deu 19:11 Asi kana munhu achivenga wekwake, ndokumuvandira, ndokumumukira, ndokumurova upenyu kusvika afa, ndokutizira kune rimwe remaguta awa;
  5419. Deu 19:12 ipapo vakuru veguta rake vachatuma munhu ndokumutorako, ndokumukumikidza muruoko rwemutsivi weropa, kuti afe.
  5420. Deu 19:13 Ziso rako haringamunzwiri tsitsi, asi uchabvisa ropa reasina mhosva kwaIsraeri, kuti zvikunakire.
  5421. Deu 19:14 Usafuzhura hoko yemuganhu wewekwako, vekare yavakarovera, panhaka yako yauchagara nhaka, panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka.
  5422. Deu 19:15 Chapupu chimwe hachingamukiri munhu pane chipi nechipi chakaipa uye pachivi chipi nechipi muchivi chipi nechipi chaanotadza; nemuromo wezvapupu zviviri kana nemuromo wezvapupu zvitatu nyaya inosimbiswa.
  5423. Deu 19:16 Kana chapupu chakaipa chikasimukira munhu kumupupurira zvakaipa,
  5424. Deu 19:17 ipapo varume vaviri ava vane kupokana vachamira pamberi paJehovha, pamberi pevapristi nevatongi, vachavapo nemazuva iwawo.
  5425. Deu 19:18 Zvino vatongi vachaongorora kwazvo; zvino tarira, chapupu icho chapupu chenhema, wakapupurira wekwake nhema,
  5426. Deu 19:19 ipapo muchamuitira iye sezvaakafunga kuitira wekwake; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.
  5427. Deu 19:20 Zvino vanosara vachanzwa uye vachatya, vagosawedzerazve kuita chakaipa chakadai pakati pako.
  5428. Deu 19:21 Zvino ziso rako risanzwira tsitsi: Upenyu neupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko neruoko, rutsoka nerutsoka.
  5429. Deu 20:1 Paunobudira kuhondo wakamirisana nevavengi vako, ndokuona mabhiza nengoro, vanhu vakawanda kukupfuura, usavatya; nokuti Jehovha Mwari wako anewe, wakakukwidza kubva panyika yeEgipita.
  5430. Deu 20:2 Zvino zvichaitika pamunoswedera kuhondo, kuti mupristi achaswedera ndokutaura nevanhu,
  5431. Deu 20:3 ndokuti kwavari: Inzwa Israeri, mava kuswedera kuhondo nhasi kurwa nevavengi venyu; moyo yenyu ngairege kupera simba; musatya, uye musadedera, uye musavhunduka nekuda kwekuvapo kwavo.
  5432. Deu 20:4 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemwi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.
  5433. Deu 20:5 Nevakuru vachataura nevanhu vachiti: Ndiani munhu anovaka imba itsva akarega kuisuma? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe angafira muhondo, umwe munhu ndokuisuma.
  5434. Deu 20:6 Uye ndiani munhu wakadzvara munda wemizambiringa akasadya pauri? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe angafira muhondo, umwe munhu ndokudya pauri.
  5435. Deu 20:7 Uye ndiani munhu wakapfimba mukadzi uye asati amutora? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe angafira muhondo, umwe munhu ndokumutora.
  5436. Deu 20:8 Uye vakuru vachataurazve kuvanhu ndokuti: Ndiani munhu anotya uye anopera simba pamoyo? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe moyo wehama dzake upererwewo nesimba semoyo wake.
  5437. Deu 20:9 Zvino zvichaitika panopedza vakuru kutaura kuvanhu, kuti vachagadza vatungamiriri vehondo pamisoro yevanhu.
  5438. Deu 20:10 Kana uchiswedera paguta kurwisana naro, ipapo uchariparidzira rugare.
  5439. Deu 20:11 Zvino zvichaitika kana rikakupindura nerugare, ndokukuzarurira, ipapo zvichaitika kuti vanhu vose vanowanikwa mariri vachava vateri kwauri, uye vachakushandira.
  5440. Deu 20:12 Zvino kana rikasaita rugare newe, asi vachiita hondo newe, ipapo ucharikomba.
  5441. Deu 20:13 Kana Jehovha Mwari wako akarikumikidza muruoko rwako, ucharova munhurume umwe neumwe waro nekwakapinza kwemunondo.
  5442. Deu 20:14 Asi vanhukadzi nevanana nemombe, nezvose zviri muguta, zvakapambiwa zvaro zvose, uchazvitapira; uye uchadya zvakapambiwa zvevavengi vako, Jehovha Mwari wako zvaanokupa.
  5443. Deu 20:15 Uchaita saizvozvo kumaguta ose ari kure kwazvo newe, asiri emaguta awa emarudzi awa.
  5444. Deu 20:16 Asi pamaguta evanhu ava, Jehovha Mwari wako aanokupa kuva nhaka, haangaregi chipi nechipi chinofema chichirarama.
  5445. Deu 20:17 Asi uchavaparadza kwazvo, vaHiti, nevaAmori, nevaKenani, nevaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi; Jehovha Mwari wako sezvaakakuraira;
  5446. Deu 20:18 kuti vasakudzidzisai kuita sezvose zvinyangadzo zvavo zvavakaitira vamwari vavo; kuti mutadzire Jehovha Mwari wenyu.
  5447. Deu 20:19 Kana ukakomba guta mazuva mazhinji, uchirwa naro kuritora, haungaparadzi miti yaro nekubaira sanhu pairi; nokuti ungadya pairi, uye haungaitemi (nokuti muti wemusango ndewevanhu) kuuya pamberi pako pakukomba.
  5448. Deu 20:20 Koga miti yaunoziva kuti haisi miti yekudya, ndiyo yauchaparadza nekuitema kuti uvake mhanda dzekukombesa wakanangana neguta raunoita hondo naro kusvika rawira pasi.
  5449. Deu 21:1 Kana pakawanikwa wakauraiwa munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka, arere musango, kusingazikanwi kuti ndiani wamurova,
  5450. Deu 21:2 ipapo vakuru vako nevatongi vako vachabuda, vayere kusvika pamaguta akapoteredza wakauraiwa.
  5451. Deu 21:3 Zvino zvichaitika, guta riri pedo newakauraiwa, vakuru veguta iro vachatora tsiru remombe, risina kubatwa naro, risina kumbokweva pajoko.
  5452. Deu 21:4 Uye vakuru veguta iro vachaburusira tsiru kumupata une mvura inoyerera, usina kurimwa kana kudzvarwa, ndokuvhuna mutsipa wetsiru imomo mumupata.
  5453. Deu 21:5 Zvino vapristi vanakomana vaRevhi vachaswedera; nokuti ivo Jehovha Mwari wako wakavasarudzira kumushumira nekuropafadza muzita raJehovha; uye nemuromo wavo kuchagurwa kupokana kose uye kurova kose.
  5454. Deu 21:6 Zvino vakuru vose veguta iro riri pedo newakauraiwa vachashamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhuniwa mutsipa pamupata.
  5455. Deu 21:7 Vagopindura ndokuti: Maoko edu haana kuteura ropa iri, nemeso edu haana kuona.
  5456. Deu 21:8 Vagamuchirirei chiyananiso rudzi rwenyu Israeri rwamakadzikinura, Jehovha, uye musaisa ropa risina mhosva pakati perudzi rwenyu Israeri. Uye ropa richaripirwa kwavari.
  5457. Deu 21:9 Saizvozvo iwe uchabvisa ropa risina mhosva kubva pakati pako kana uchiita zvakarurama pameso aJehovha.
  5458. Deu 21:10 Kana uchibudira hondo wakamirisana nevavengi vako, uye Jehovha Mwari wako avaisa muruoko rwako, iwe ndokutapa vatapwa vavo,
  5459. Deu 21:11 zvino ukaona pakati pevatapwa mukadzi wakanaka pachimiro, ukamushuva, kuti umutore ave mukadzi wako,
  5460. Deu 21:12 ipapo uchamupinza pakati peimba yako; agovevura musoro wake uye agadzire nzara dzake.
  5461. Deu 21:13 Uye akurure nguvo dzake dzeutapwa, ndokugara mumba mako, uye acheme baba vake namai vake mwedzi wakazara; zvino shure kweizvozvo ungapinda kwaari, ugova murume wake, iye agova mukadzi wako.
  5462. Deu 21:14 Zvino zvichaitika kuti kana usingafari naye, ipapo uchamurega aende kwaanoda; asi haungatongomutengesi nemari; usamubata senhapwa, nokuti wakamuderedza.
  5463. Deu 21:15 Kana murume ane vakadzi vaviri, umwe anodikanwa neumwe anovengwa, vakamuberekera vana, anodikanwa neanovengwa; zvino mwanakomana wedangwe akava weanovengwa;
  5464. Deu 21:16 zvino zvichaitika kuti musi waanogarisa vanakomana vake nhaka yezvaanazvo, asagona kuita mwanakomana wemudikanwa dangwe pachiso chemwanakomana weanovengwa, ari wedangwe.
  5465. Deu 21:17 Asi achatenda dangwe, mwanakomana weanovengwa, nekumupa migove miviri yezvose zvinowanikwa zviri kwaari; nokuti ndiye kutanga kwesimba rake; kodzero yeudangwe ndeyake.
  5466. Deu 21:18 Kana munhu ane mwanakomana ane nharo uye anopanduka, asingateereri kuinzwi rababa vake kana kuinzwi ramai vake, kana vamuranga, asi asingavateereri,
  5467. Deu 21:19 ipapo baba vake namai vake vachamubata ndokumubudisira kuvakuru veguta rake uye kusuwo renzvimbo yake.
  5468. Deu 21:20 Vagoti kuvakuru veguta rake: Uyu mwanakomana wedu ane nharo uye anopanduka, haateereri kuinzwi redu; muruti, uye chidhakwa.
  5469. Deu 21:21 Zvino varume vose veguta rake vachamutaka nemabwe kuti afe; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako; naIsraeri wose achanzwa ndokutya.
  5470. Deu 21:22 Zvino kana kune chivi pamunhu chakafanira rufu, akaurawa, zvino uchamuremberedza pamuti,
  5471. Deu 21:23 chitunha chake hachingagari mumuti usiku, asi uchamuviga kwazvo nemusi iwowo, nokuti wakaremberedzwa wakatukwa naMwari; kuti haungasvibisi nyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kugara nhaka.
  5472. Deu 22:1 Haungaoni nzombe yehama yako kana gwai rake richitetereka ukazvivanza kwazviri; zvirokwazvo uchazvidzosera kuhama yako.
  5473. Deu 22:2 Zvino kana hama yako isiri pedo newe, kana usingamuzivi, ipapo uchachiuisa mukati memusha wako, uye chichava kwauri kusvika hama yako yachitsvaka, ugochidzosera kwaari.
  5474. Deu 22:3 Uchaita saizvozvo nembongoro yake, uye uchaita saizvozvo nenguvo yake, uye uchaita saizvozvo nechakarasika chose chehama yako charasika kubva kwaari ukachiwana; haugoni kuzvivanza.
  5475. Deu 22:4 Haungaoni mbongoro yehama yako kana nzombe yake ichiwira panzira ndokuzvivanza kwazviri; zvirokwazvo uchazvisimudza pamwe naye.
  5476. Deu 22:5 Chipfeko chemurume hachingavi pamukadzi, uye murume haangapfeki nguvo yemukadzi; nokuti ani nani anoita zvinhu izvi chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.
  5477. Deu 22:6 Kana zvikaitika kuva nedendere reshiri pamberi pako panzira pamuti upi neupi kana pasi, manyana kana mazai, uye mai ichivhuvatira pamanyana kana pamazai, haungatori mai pamwe nevana.
  5478. Deu 22:7 Ucharega kwazvo mai vaende, ndokuzvitorera manyana, kuti zvikunakire, zvino ucharebesa mazuva ako.
  5479. Deu 22:8 Kana uchivaka imba itsva, ipapo uchaitira denga rako rumhanda, kuti usauisa ropa pamusoro peimba yako, kana umwe akawa kuwa kubvapo.
  5480. Deu 22:9 Usadzvara marudzi maviri mumunda wako wemizambiringa, zvimwe kuzara kwembeu yaunodzvara, nechibereko chemunda wemizambiringa zvingasvibiswa.
  5481. Deu 22:10 Usarima nenzombe nembongoro pamwe chete.
  5482. Deu 22:11 Usapfeka nguvo yemusanganiswa, mvere dzemakwai nemucheka wakapfava pamwe chete.
  5483. Deu 22:12 Uchazviitira machaka pamipendero mina yenguvo yako yaunozvifukidza nayo.
  5484. Deu 22:13 Kana murume akatora mukadzi ndokupinda kwaari ndokumuvenga,
  5485. Deu 22:14 ndokumupa mhosva ine chinyadzo, ndokubudisa zita rakaipa pamusoro pake, ndokuti: Ndakatora mukadzi uyu; pandakaswedera kwaari handina kuwana kwaari umhandara;
  5486. Deu 22:15 ipapo baba vemusikana namai vake vachatora ndokubudisa zviratidzo zveumhandara hwemusikana kuvakuru veguta pasuwo.
  5487. Deu 22:16 Zvino baba vemusikana vachati kuvakuru: Ndakapa mwanasikana wangu kumurume uyu kuva mukadzi, zvino akamuvenga.
  5488. Deu 22:17 Zvino tarirai, iye anopa mhosva ine chinyadzo achiti: Handina kuwana umhandara kumwanasikana wako; izvo hezvi zviratidzo zveumhandara hwemwanasikana wangu. Zvino vachawarira nguvo pamberi pevakuru veguta.
  5489. Deu 22:18 Zvino vakuru veguta iro vachatora murume uyo ndokumuranga;
  5490. Deu 22:19 nekumuripisa mashekeri esirivha zana, ndokupa baba vemusikana, nokuti wakabudisa zita rakaipa pamusoro pemhandara yaIsraeri; zvino achava mukadzi wake, haagoni kumurasa mazuva ake ose.
  5491. Deu 22:20 Asi kana chinhu ichi chiri chokwadi, umhandara husina kuwanikwa kumusikana,
  5492. Deu 22:21 ipapo vachabudisira musikana kumukova weimba yababa vake, varume veguta rake vagomutaka nemabwe kuti afe, nokuti wakaita upenzi muna Israeri, kuita chipfambi paimba yababa vake; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.
  5493. Deu 22:22 Kana murume akawanikwa akarara nemukadzi wakawanikwa kumurume wake, ipapo vachafawo vari vaviri, murume wakarara nemukadzi uyo, nemukadzi; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva kuna Israeri.
  5494. Deu 22:23 Kana kune musikana mhandara wakatsidzira kuwanikwa nemurume, murume ndokumuwana muguta ndokurara naye,
  5495. Deu 22:24 ipapo muchavabudisira vari vaviri kusuwo reguta iro, mugovataka nemabwe kuti vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere pakati peguta, uye murume nokuti waderedza mukadzi wewekwake; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.
  5496. Deu 22:25 Asi kana murume akawana musikana wakatsidzira kuwanikwa musango, murume ndokumubata ndokurara naye, ipapo murume oga akarara naye achafa.
  5497. Deu 22:26 Asi kumusikana usaita chinhu; hakuna chivi cherufu kumusikana; nokuti semurume wakamukira wekwake ndokumuponda upenyu, yakadaro nyaya iyi.
  5498. Deu 22:27 Nokuti wakamuwana musango, musikana wakatsidzira kuwanikwa akaridza mhere, zvino kwaiva kusina angamuponesa.
  5499. Deu 22:28 Kana murume akawana musikana mhandara asina kutsidzira kuwanikwa, ndokumubata, ndokurara naye, zvino vakawanikidziwa,
  5500. Deu 22:29 ipapo murume wakarara naye achapa kuna baba vemusikana mashekeri makumi mashanu esirivha, uye iye achava mukadzi wake, nokuti wamuderedza; haagoni kumurasa mazuva ake ose.
  5501. Deu 22:30 Murume haangatori mukadzi wababa vake; haangafukuri mupendero wababa vake.
  5502. Deu 23:1 Wakakuvadzwa nekupwanyiwa kana wakagurwa manhu haapindi paungano yaJehovha.
  5503. Deu 23:2 Mwana weupombwe haapindi paungano yaJehovha; kunyange zera regumi rake haringapindi paungano yaJehovha.
  5504. Deu 23:3 MuAmoni kana muMoabhu haapindi paungano yaJehovha. Kunyange zera ravo regumi haripindi paungano yaJehovha nekusingaperi.
  5505. Deu 23:4 Nokuti havana kukuchingurai panzira nechingwa uye nemvura pakubuda kwenyu muEgipita; uye nokuti vakakuhaira Bharamu mwanakomana waBheori wePetori yeMesopotamia, kuti akutuke.
  5506. Deu 23:5 Asi Jehovha Mwari wako haana kuda kunzwa kuna Bharamu; asi Jehovha Mwari wako wakashandura chakatukwa chikava ropafadzo kwauri, nokuti Jehovha Mwari wako wakakuda.
  5507. Deu 23:6 Usatsvaka rugare rwavo kana zvakanaka zvavo mazuva ako ose kusvika rinhi narinhi.
  5508. Deu 23:7 Usasema muEdhomu, nokuti ihama yako; usasema muEgipita, nokuti waiva mutorwa panyika yake.
  5509. Deu 23:8 Vana vanoberekwa navo pazera rechitatu vangazvipindira paungano yaJehovha.
  5510. Deu 23:9 Panobudira hondo vavengi vako, ipapo uzvichengete kubva pachakaipa chipi nechipi.
  5511. Deu 23:10 Kana aripo pakati penyu munhu asina kuchena nekuda kwenjodzi yeusiku, ipapo achaenda kunze kusvika kunze kwemusasa; haangauyi pakati pemusasa.
  5512. Deu 23:11 Zvino zvichaitika koita madekwani kuti achashamba nemvura; uye pakuvira kwezuva achapinda kusvika mukati memusasa.
  5513. Deu 23:12 Zvino uchava nenzvimbo kunze kwemusasa paunobudira kuenda panze.
  5514. Deu 23:13 Zvino uchava nejereso pachombo chako; uye zvichaitika paunobuda kunze, uchachera naro ndokudzoka ndokufutsira tsvina yako.
  5515. Deu 23:14 Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba pakati pemusasa wako kukusunungura nekupa vavengi vako pamberi pako; naizvozvo musasa wako uchava mutsvene, kuti asaona chinhu chisina kuchena mauri agokufuratira.
  5516. Deu 23:15 Usapa kuna tenzi wake muranda wakapukunyukira kwauri kubva kuna tenzi wake.
  5517. Deu 23:16 Achagara newe pakati pako, panzvimbo yaachasarudza mune rimwe remasuwo ako pakamunakira; usamudzvinyirira.
  5518. Deu 23:17 Hakungavi nechifeve chetembere pakati pevanasikana vaIsraeri. Uye hakungavi nengochani pakati pevanakomana vaIsraeri.
  5519. Deu 23:18 Usauya nemubairo wepfambi kana muripo wembwa muimba yaJehovha Mwari wako kuitira mhiko ipi neipi, nokuti kunyange zviri zviviri chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.
  5520. Deu 23:19 Usakweretesa hama yako nemubereko, mubereko wemari, mubereko wezvekudya, mubereko wechipi nechipi chinokweretwa nemubereko.
  5521. Deu 23:20 Kumutorwa ungakweretesa nemubereko, asi kuhama yako usakweretesa nemubereko; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pachose chaunoisa ruoko rwako pachiri, panyika kwaunoenda kuigara nhaka.
  5522. Deu 23:21 Kana uchipika mhiko kuna Jehovha Mwari wako, usanonoka kuiripa; nokuti zvirokwazvo Jehovha Mwari wako achaibvunza kwauri, chigova chivi kwauri.
  5523. Deu 23:22 Asi kana ukarega kupika, hachisi chivi kwauri.
  5524. Deu 23:23 Chinobuda pamiromo yako uchachichengetedza nekuita; chipo chekuzvidira, zvichienderana nezvawakapikira Jehovha Mwari wako, zvawakataura nemuromo wako.
  5525. Deu 23:24 Kana uchipinda mumunda wemizambiringa wewekwako, ipapo ungadya mazambiringa pamadiro ako ugute; asi usaisa chinhu mumudziyo wako.
  5526. Deu 23:25 Kana uchipinda muzviyo zvimire zvewekwako, ipapo ungatanha hura neruoko rwako, asi usazunza jekeso muzviyo zvimire zvewekwako.
  5527. Deu 24:1 Kana murume achitora mukadzi, ndokumuwana, ndokuitika kana asingawani nyasha pameso ake, nokuti awana chinhu chinyadzo kwaari, zvino ngaamunyorere rugwaro rwekurambana agopa muruoko rwake ndokumubudisa mumba make.
  5528. Deu 24:2 Kana abuda mumba make, angaendawo ndokuva weumwe murume;
  5529. Deu 24:3 kana murume anotevera akamuvenga ndokumunyorera rugwaro rwekumuramba ndokupa muruoko rwake ndokumubudisa mumba make; kana kuti murume anotevera uyu achifa wanga amutora kuva mukadzi wake;
  5530. Deu 24:4 murume wake wekutanga, wakamubudisa, haangagoni kumutorazve kuva mukadzi wake shure kwekuti akasvibiswa; nokuti chinyangadzo pamberi paJehovha. Naizvozvo haungatadzisi nyika iyo Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka.
  5531. Deu 24:5 Kana munhu achangotora mukadzi mutsva, haangabudiri hondo, uye haangabatiswi chero basa; achava akasununguka kumba kwake gore rimwe, kuti afadze mukadzi wake waatora.
  5532. Deu 24:6 Hakuna munhu achatora guyo kana huyo kuva chibatiso; nokuti anotora upenyu kuva chibatiso.
  5533. Deu 24:7 Kana munhu akawanikwa achiba munhu pahama dzake kuvana vaIsraeri, ndokumubata senhapwa kana kumutengesa, mbavha iyo ichafa; saizvozvo uchabvisa kuipa kubva pakati pako.
  5534. Deu 24:8 Chenjera pahosha yemaperembudzi, kuchenjerera kwazvo nekuita zvichienderana nezvose vapristi vaRevhi zvavanokudzidzisa; sezvandakavaraira, chenjererai kuzviita.
  5535. Deu 24:9 Rangarira Jehovha Mwari wako zvaakaitira Miriamu panzira pakubuda kwenyu muEgipita.
  5536. Deu 24:10 Kana uchikweretesa umwe wako chinhu, usapinda mumba make kuti utore chibatiso chake.
  5537. Deu 24:11 Uchamira panze, uye munhu waunokweretesa achakubudisira chibatiso panze.
  5538. Deu 24:12 Zvino kana ari munhu murombo, usarara nechibatiso chake.
  5539. Deu 24:13 Zvirokwazvo uchadzosera chibatiso kwaari panovira zuva, kuti arare nenguvo yake, uye akuropafadze; uye zvichava kururama kwauri pamberi paJehovha Mwari wako.
  5540. Deu 24:14 Usadzvinyirira muranda wakahaiwa murombo uye anoshaiwa, pahama dzako kana pamutorwa wako ari munyika yako mukati memasuwo ako.
  5541. Deu 24:15 Uchapa mubairo wake nezuva rake, uye zuva haringauviriri, nokuti murombo, uye wakaisa mweya weupenyu wake pauri; zvimwe angakuchemera kuna Jehovha, chikava chivi kwauri.
  5542. Deu 24:16 Madzibaba haangaurawi nekuda kwevana, uye vana havangaurawi nekuda kwemadzibaba; umwe neumwe achaurawa nekuda kwechivi chake.
  5543. Deu 24:17 Usatsausa mutongo wemutorwa nenherera; uye usatora nguvo yechirikadzi kuva chibatiso.
  5544. Deu 24:18 Asi ucharangarira kuti waiva muranda muEgipita, Jehovha Mwari wako ndokukudzikinuramo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.
  5545. Deu 24:19 Paunokohwa goho rako mumunda wako, ndokukanganwa chimwanda mumunda, haungadzokeri kunochitora; chichava chemutorwa, chenherera, nechechirikadzi; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pabasa rose remaoko ako.
  5546. Deu 24:20 Kana uchizunza muti wako wemuorivhi, usatsvakisisa matavi shure kwako; chichava chemutorwa, chenherera, nechechirikadzi.
  5547. Deu 24:21 Kana uchiunganidza mazambiringa emunda wako wemizambiringa, usafuhurudza shure kwako; chichava chemutorwa, chenherera, nechechirikadzi.
  5548. Deu 24:22 Ucharangarira kuti waiva muranda munyika yeEgipita; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.
  5549. Deu 25:1 Kana pane kupikisana pakati pevanhu, vakaswedera kumutongo, kuti vavatonge, ipapo vachati wakarurama wakarurama, uye vachapa mhosva wakatadza.
  5550. Deu 25:2 Zvino zvichaitika, kana wakatadza achifanira kurohwa, kuti mutongi achamurarisa pasi ndokumurovesa pamberi pake zvichienderana nemhosva yake pauwandu.
  5551. Deu 25:3 Anomurova shamhu makumi mana, asawedzera; zvimwe akawedzera angamurova kupfuurisa shamhu idzi zhinji, kuti hama ideredzwe pameso pako.
  5552. Deu 25:4 Usasunga muromo wenzombe kana ichipura.
  5553. Deu 25:5 Kana vana vemunhu umwe vagere pamwe, umwe wavo ndokufa, uye asina mwanakomana, mukadzi wewakafa haangavi wemutorwa kunze; mwanakomana wamai wemurume wake achapinda kwaari, agozvitorera iye kuva mukadzi, nekuita kwaari faniro yemurume yemwanakomana wamai.
  5554. Deu 25:6 Zvino zvichaitika kuti dangwe raachabereka richamira pazita remukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzimwa kwaIsraeri.
  5555. Deu 25:7 Zvino kana munhu asingadi kutora mukadzi wemwanakomana wamai vake, ipapo mukadzi wemwanakomana wamai vake ngaakwire kusuwo kuvakuru agoti: Mwanakomana wamai wemurume wangu anoramba kumutsira mwanakomana wamai vake zita kwaIsraeri, haadi kundiitira faniro yemurume yemwanakomana wamai vake.
  5556. Deu 25:8 Ipapo vakuru veguta rake vachamudana, ndokutaura kwaari; kana akarambirira ndokuti: Handidi kumutora;
  5557. Deu 25:9 ipapo mukadzi wemwanakomana wamai vake achaswedera kwaari pamberi pemeso evakuru, ndokubvisa shangu yake kubva mutsoka yake, ndokumupfira kumeso, zvino achapindura ndokuti: Saizvozvo zvinoitwa kumurume asingavaki imba yemwana wamai vake.
  5558. Deu 25:10 Zvino zita rake richanzi muna Israeri: Imba yeune shangu yakabviswa.
  5559. Deu 25:11 Kana varume vachirwisana umwe neumwe, mukadzi weumwe ndokuswedera kusunungura murume wake paruoko rwemurovi wake, ndokutandavadza ruoko rwake ndokubata pamberi pake,
  5560. Deu 25:12 ipapo uchagura ruoko rwake; ziso rako risava netsitsi.
  5561. Deu 25:13 Usava nemabwe ekuyeresa akasiyana-siyana muhombodo yako, guru nediki.
  5562. Deu 25:14 Usava nemaefa akasiyana-siyana muimba yako, huru nediki.
  5563. Deu 25:15 Uchava nechiyereso chakakwana uye chakarurama; uchava neefa yakakwana uye yakarurama; kuti urebese mazuva ako panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.
  5564. Deu 25:16 Nokuti wose anoita zvinhu zvakadai, wose anoita kusarurama, chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.
  5565. Deu 25:17 Rangarira Amareki zvaakakuitira panzira pakubuda kwenyu kubva muEgipita;
  5566. Deu 25:18 kuti wakakuchingamidzai panzira, ndokurova pakati pako vose vaiva vasina simba shure kwako, pawakanga waneta uye wapera simba; uye haana kutya Mwari.
  5567. Deu 25:19 Zvino zvichaitika kana Jehovha Mwari wako akupa zororo kubva pavavengi vako vose vakapoteredza panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka kuigara nhaka, uchadzima kurangarirwa kwaAmareki pasi pematenga; usakanganwa.
  5568. Deu 26:1 Zvino zvichaitika paunopinda munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka ukaigara nhaka ndokugara mairi,
  5569. Deu 26:2 kuti uchatora pazvekutanga zvezvibereko zvose zvevhu zvauchaunza kubva panyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa, uye uchaisa mudengu, ugoenda kunzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza kumisa zita rakepo.
  5570. Deu 26:3 Zvino uchaenda kumupristi achavapo pamazuva iwawo, ugoti kwaari: Ndinodudza nhasi kuna Jehovha Mwari wako kuti ndasvika panyika Jehovha yaakapikira madzibaba edu kupa kwatiri.
  5571. Deu 26:4 Zvino mupristi achatora dengu kubva paruoko rwako, ndokuriisa pamberi pearitari yaJehovha Mwari wako.
  5572. Deu 26:5 Ipapo uchapindura ndokuti pamberi paJehovha Mwari wako: Baba vangu vaiva muSiriya oparara, ndokuburukira kuEgipita, ndokugarapo semweni ane vanhu vashoma; asi ikoko wakava rudzi rukuru, rwune simba, uye rwune vazhinji.
  5573. Deu 26:6 Zvino vaEgipita vakatibata zvakaipa, nekutitambudza, nekutitakudza utapwa hunorema.
  5574. Deu 26:7 Zvino takachema kuna Jehovha Mwari wemadzibaba edu; Jehovha ndokunzwa inzwi redu, ndokuona marwadzo edu, neshingairo yedu, nedzvinyiriro yedu.
  5575. Deu 26:8 Jehovha ndokutibudisa kubva muEgipita neruoko rwune simba, uye nechanza chakatandavadzwa, uye nekutyisa kukuru, uye nezviratidzo, uye nezvishamiso.
  5576. Deu 26:9 Zvino wakatiuisa panzvimbo ino, ndokutipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka neuchi.
  5577. Deu 26:10 Zvino ikozvino tarira, ndauya nekutanga kwezvibereko zvevhu ramakandipa imwi Jehovha. Zvino uchazviisa pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.
  5578. Deu 26:11 Zvino uchafara pazvose zvakanaka Jehovha Mwari wako zvaanokupa neveimba yako, iwe nemuRevhi nemutorwa ari pakati pako.
  5579. Deu 26:12 Paunenge wapedza kupa chegumi, chegumi chose chezvibereko zvako mugore retatu, gore rechegumi, ipapo uchapa muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati memasuwo ako vagute.
  5580. Deu 26:13 Ipapo uchati pamberi paJehovha Mwari wako: Ndabvisa chinhu chitsvene mumba mangu, uyewo ndachipa muRevhi, nemutorwa, nherera, nechirikadzi, zvichienderana nemurairo wose wamakandiraira; handina kudarika pamirairo yenyu, uye handina kukanganwa.
  5581. Deu 26:14 Handina kudya pazviri pakuchema kwangu, uye handina kubvisa pachiri nekuda kwekusviba, uye handina kupira pazviri wakafa; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu; ndikaita zvinoenderana nezvose zvamakandiraira.
  5582. Deu 26:15 Tarirai pasi kubva paugaro hwenyu utsvene, kubva kumatenga, mugoropafadza vanhu venyu Israeri, nevhu ramakapa kwatiri, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka neuchi.
  5583. Deu 26:16 Nhasi Jehovha Mwari wako anokuraira kuita zvimiso izvi nemitongo; naizvozvo uchazvichengeta nekuita nemoyo wako wose uye nemweya wako wose.
  5584. Deu 26:17 Watenda pachena nhasi kuti Jehovha ndiMwari wako, uye kuti uchafamba nenzira dzake, uye kuti uchachengeta zvimiso zvake nemirairo yake nemitongo yake, uye kuti uchateerera kuinzwi rake.
  5585. Deu 26:18 NaJehovha watenda pachena nhasi kuti uchava rudzi rwefuma yake yakasanangurwa, sezvaakataura kwauri, uye kuti uchengete mirairo yake yose;
  5586. Deu 26:19 kuti akusimudzire pamusoro pemarudzi ose aakaita, parumbidzo nepazita neparukudzo; uye kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.
  5587. Deu 27:1 Zvino Mozisi nevakuru vaIsraeri vakaraira vanhu vachiti: Chengetai murairo wose wandinokurairai nhasi.
  5588. Deu 27:2 Zvino zvichaitika pazuva raunoyambuka Joridhani kuenda kunyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, kuti uchazvimisira mabwe makuru nekuadzudzura nechidzudzuro.
  5589. Deu 27:3 Zvino uchanyora paari mashoko ose emurairo uyu kana wayambuka; kuti upinde kunyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, nyika inoyerera mukaka neuchi, Jehovha Mwari wemadzibaba ako sezvaakakuvimbisa.
  5590. Deu 27:4 Zvino zvichaitika pakuyambuka kwenyu Joridhani, uchamisa mabwe awa andinokuraira nhasi, mugomo reEbhari, muadzudzure nechidzudzuro.
  5591. Deu 27:5 Zvino uchavakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yemabwe; usafambisa dare pamusoro payo.
  5592. Deu 27:6 Uchavaka aritari yaJehovha Mwari wako nemabwe akakwana. Ugopa pairi zvipo zvinopiswa kuna Jehovha Mwari wako.
  5593. Deu 27:7 Uye uchabaya zvipo zvekuyananisa, nekudyapo, ndokufara pamberi paJehovha Mwari wako.
  5594. Deu 27:8 Zvino uchanyora pamusoro pemabwe mashoko ose emurairo uyu, zvionekwe kwazvo.
  5595. Deu 27:9 Zvino Mozisi nevapristi vaRevhi vakataura kuna Israeri wose vachiti: Nyarara, uye teerera, iwe Israeri; nhasi wava rudzi rwaJehovha Mwari wako.
  5596. Deu 27:10 Naizvozvo uchateerera inzwi raJehovha Mwari wako nekuita mirairo yake nezvimiso zvake, zvandinokuraira nhasi.
  5597. Deu 27:11 Zvino Mozisi wakaraira vanhu nezuva iro achiti:
  5598. Deu 27:12 Ava vachamira kuropafadza vanhu pagomo reGerizimi pakuyambuka kwenyu Joridhani: Simioni naRevhi naJudha naIsasikari naJosefa naBhenjamini.
  5599. Deu 27:13 Uye ava vachamira pagomo reEbhari pamusoro pekutukwa: Rubheni, Gadhi, naAsheri, naZebhuruni, Dhani, naNafutari.
  5600. Deu 27:14 Zvino vaRevhi vachapindura ndokuti kumurume wose waIsraeri nenzwi guru:
  5601. Deu 27:15 Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakanyunguduswa, chinyangadzo kuna Jehovha, basa remaoko emufombori, ndokuisa pakavanda. Zvino vanhu vose vachapindura vachiti: Ameni.
  5602. Deu 27:16 Ngaatukwe anozvidza baba vake uye mai vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5603. Deu 27:17 Ngaatukwe anofuzhura muganhu wewekwake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5604. Deu 27:18 Ngaatukwe anotsausa bofu panzira. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5605. Deu 27:19 Ngaatukwe anotsausa mutongo wemutorwa, nherera, nechirikadzi. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5606. Deu 27:20 Ngaatukwe anorara nemukadzi wababa vake, nokuti wafukura mupendero wababa vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5607. Deu 27:21 Ngaatukwe anorara nemhuka ipi neipi. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5608. Deu 27:22 Ngaatukwe anorara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana mwanasikana wamai vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5609. Deu 27:23 Ngaatukwe anorara nambuyawasha vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5610. Deu 27:24 Ngaatukwe anorova wekwake pakavanda. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5611. Deu 27:25 Ngaatukwe anogamuchira fufuro yekurova munhu, ropa risina mhosva. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5612. Deu 27:26 Ngaatukwe asingasimbisi mashoko emurairo uyu, kuaita. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.
  5613. Deu 28:1 Zvino zvichaitika kana uchiteerera kwazvo kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuchenjera nekuita mirairo yake yose yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako achakusimudzira pamusoro pemarudzi ose enyika.
  5614. Deu 28:2 Zvino maropafadzo awa ose achauya pamusoro pako agokubata, kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
  5615. Deu 28:3 Ucharopafadzwa muguta, uye ucharopafadzwa mumunda.
  5616. Deu 28:4 Chicharopafadzwa chibereko chechizvaro chako, nechibereko chevhu rako, nemhuru yezvipfuwo zvako, mhuru yemombe dzako, nemakwayana emakwai ako.
  5617. Deu 28:5 Kucharopafadzwa dengu rako, nemudziyo wako wekukanyira chingwa.
  5618. Deu 28:6 Ucharopafadzwa pakupinda kwako, uye ucharopafadzwa pakubuda kwako.
  5619. Deu 28:7 Jehovha achaita vavengi vako vanokupandukira varohwe pamberi pechiso chako; vachabuda kurwisana newe nenzira imwe, ndokutiza pamberi pako nenzira nomwe.
  5620. Deu 28:8 Jehovha acharaira ropafadzo newe, pamatura ako, nepazvose zvaunoisa ruoko rwako pazviri; uye achakuropafadza panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.
  5621. Deu 28:9 Jehovha achazvisimbisira iwe kuva rudzi rutsvene, sezvaakapika kwauri, kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nekufamba munzira dzake.
  5622. Deu 28:10 Nevanhu vose venyika vachaona kuti zita raJehovha rinodaidzwa pamusoro pako, vagokutya.
  5623. Deu 28:11 Zvino Jehovha achakuraudzirai zvakanaka, pachibereko chechizvaro chako, nepachibereko chezvipfuwo zvako, nepachibereko chevhu rako, panyika Jehovha yaakapikira madzibaba ako kukupa.
  5624. Deu 28:12 Jehovha uchakuzarurira zvinokosha zvake zvakanaka, matenga, kukupa mvura panyika yako nenguva yayo, nekuropafadza basa rose reruoko rwako; zvino uchakweretesa kumarudzi mazhinji, asi iwe haungakwereti.
  5625. Deu 28:13 Zvino Jehovha uchakuita musoro, uye kwete muswe; uye uchava pamusoro chete, uye haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi kuichengetedza nekuiita;
  5626. Deu 28:14 uye usingatsauki pane rimwe remashoko andinokurairai nhasi, kurudyi kana kuruboshwe, kutevera vamwe vamwari kuvashumira.
  5627. Deu 28:15 Asi zvichaitika kana usingateereri kuinzwi raJehovha Mwari wako kuchengetedza kuita mirairo yake yose nezvimiso zvake zvandinokuraira nhasi, kuti kutukwa uku kose kuchauya pamusoro pako kukakuwana.
  5628. Deu 28:16 Uchatukwa muguta, uye uchatukwa mumunda.
  5629. Deu 28:17 Kuchatukwa dengu rako nemudziyo wako wekukanyira chingwa.
  5630. Deu 28:18 Kuchatukwa chibereko chechizvaro chako, nechibereko chevhu rako, mhuru yemombe dzako, nemakwayana emakwai ako.
  5631. Deu 28:19 Uchatukwa pakupinda kwako, uye uchatukwa pakubuda kwako.
  5632. Deu 28:20 Jehovha achatuma pamusoro pako kutukwa, dambudziko, nekutsiura, pane chose chaunoisa ruoko rwako pachiri chaunoita, kusvika watsakatiswa uye kusvika waparara nekukurumidza, nekuda kwekuipa kwezviito zvako zvawakandisiya nazvo.
  5633. Deu 28:21 Jehovha achanamatidza pauri denda, kusvika akupedza kubva panyika kwaunoendako kuigara nhaka.
  5634. Deu 28:22 Jehovha achakurova nechifo chinowonza uye nefivhiri uye nekuzvimba uye nekupisa kukurusa uye nemunondo uye nekuvhuvha uye nekufunuka; zvino zvichakuteverera kusvika waparara.
  5635. Deu 28:23 Zvino matenga ako ari pamusoro pemusoro wako achava ndarira, nenyika iri pasi pako dare.
  5636. Deu 28:24 Jehovha achaita mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichiburukira pamusoro pako kubva kumatenga kusvika waparadzwa.
  5637. Deu 28:25 Jehovha achaita urohwe pamberi pevavengi vako; uchavabudira nenzira imwe, ugotiza nenzira nomwe pamberi pavo; uye uchava chinhu chinotyisa kuumambo hwose hwenyika.
  5638. Deu 28:26 Chitunha chako chichava chekudya kushiri dzose dzematenga nekuzvikara zvenyika; uye hakungavi neanozvityityidzira.
  5639. Deu 28:27 Jehovha uchakurova nemamota eEgipita, uye nemaronda, uye nemhizi, uye nekufunuka, zvausingagoni kuporeswa.
  5640. Deu 28:28 Jehovha uchakurova neupengo uye neupofu uye nekuvhiringidzika kwemoyo.
  5641. Deu 28:29 Zvino uchatsvangadzira masikati sebofu rinotsvangadzira murima, uye haungabudiririsi nzira dzako; zvino uchadzvinyirirwa chete uye kupambiwa mazuva ose; zvino kusava nemuponesi.
  5642. Deu 28:30 Uchapfimba mukadzi, asi umwe murume achamubata chibharo; uchavaka imba, asi haungagarimo; uchasima munda wemizambiringa, asi haungashandisi michero yawo.
  5643. Deu 28:31 Nzombe yako ichabayiwa pamberi pemeso ako, ukasadya pairi; mbongoro yako ichatorwa nechisimba pamberi pechiso chako, uye haingadzoswi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, uye hauna mununuri.
  5644. Deu 28:32 Vanakomana vako nevanasikana vako vachapiwa kune rumwe rudzi; uye meso ako achatarira nekuvademba zuva rose, asi hakungavi nesimba paruoko rwako.
  5645. Deu 28:33 Chibereko chevhu rako, nebasa rako rose rudzi rwuchazvidya rwausingazivi; uchadzvinyirirwa chete ugotswanyiwa mazuva ose,
  5646. Deu 28:34 kusvika wapenga nekuda kwekuona kwemeso ako kwauchaona.
  5647. Deu 28:35 Jehovha achakurova pamabvi ako nepamakumbo ako nemota rakaipa rausingagoni kurapiwa kubva pasi petsoka yako kusvika panhongonya yako.
  5648. Deu 28:36 Jehovha achakuisa iwe namambo wako wauchaisa pamusoro pako kurudzi rwausingazivi iwe nemadzibaba ako, uye uchashumirako vamwe vamwari, matanda nemabwe.
  5649. Deu 28:37 Iwe uchaitwa chityiso, tsumo, uye chiseko, pakati pemarudzi ose Jehovha kwaachakuisa.
  5650. Deu 28:38 Uchabudisira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma, nokuti mhashu dzichazvipedza.
  5651. Deu 28:39 Uchasima minda yemizambiringa nekuishanda, asi haunganwi waini, kana kuunganidza chinhu; nokuti makonye achaidya.
  5652. Deu 28:40 Uchava nemiti yemiorivhi pamiganhu yako yose, asi haungazori mafuta, nokuti miorivhi yako ichazuka.
  5653. Deu 28:41 Uchabereka vanakomana nevanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachaenda muutapwa.
  5654. Deu 28:42 Miti yako yose nechibereko chevhu rako zvichava zvemhashu.
  5655. Deu 28:43 Mutorwa ari pakati pako achakwirira kupfuura iwe kumusoro-soro; asi iwe uchaburukira pasi-pasi.
  5656. Deu 28:44 Iye achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi; iye achava musoro, asi iwe uchava muswe.
  5657. Deu 28:45 Zvino kutukwa uku kose kuchauya pamusoro pako uye kuchakuteverera ndokukuwana, kusvika waparadzwa; nokuti hauna kuteerera kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuchengeta mirairo yake nezvimiso zvake zvaakakuraira.
  5658. Deu 28:46 Zvino zvichava pakati pako kuva chiratidzo nekuva chishamiso, uye pakati pembeu yako kusvika rinhi narinhi.
  5659. Deu 28:47 Pamusana pekuti hauna kushandira Jehovha Mwari wako nemufaro, uye nekunaka kwemoyo, nekuda kwekuwanda kwezvose,
  5660. Deu 28:48 naizvozvo uchashandira vavengi vako, Jehovha vaachatumira kurwisana newe, panzara nepanyota nepakushama nepakushaiwa kose; zvino achaisa joko redare pamutsipa wako kusvika akuparadza.
  5661. Deu 28:49 Jehovha achakumutsira rudzi rwunobva kure, kubva kumugumo wenyika, segondo richibhururuka; rudzi rurimi rwarwo rwausina kunzwa;
  5662. Deu 28:50 rudzi rwune chiso chinotyisa, rwusingagamuchiri chiso chemutana, uye rwusinganzwiri tsitsi mudiki.
  5663. Deu 28:51 Rwuchadya chibereko chezvipfuwo zvako uye chibereko chenyika yako kusvika waparadzwa; rwusingakusiiri zviyo, waini itsva, kana mafuta, mwana wemombe dzako, kana vana vemakwai ako, kusvika rwakuparadza.
  5664. Deu 28:52 Zvino rwuchakukomba pamasuwo ako ose kusvika masvingo ako marefu uye akakombwa nerusvingo akoromoka, aunovimba nawo munyika yako yose; uye rwuchakukomba pamasuwo ako ose panyika yako yose Jehovha Mwari wako yaakakupa.
  5665. Deu 28:53 Zvino uchadya chibereko chechizvaro chako, nyama yevanakomana vako neyevanasikana vako Jehovha Mwari wako vaakakupa, pakukombwa nepakumbandidzirwa, vavengi vako kwavanokumbandidzira nako.
  5666. Deu 28:54 Murume munyoro pakati pako uye wakareruka kwazvo, ziso rake richava rakaipa kuhama yake nekumukadzi wechipfuva chake uye kuvakasara vevana vake vaachasiya;
  5667. Deu 28:55 kuti asapa kune upi neupi wavo zvenyama yevana vake vaachadya, nokuti haasarirwi nechinhu, pakukombwa nepakumbandidzirwa vavengi vako kwavanokumbandidzira nako pamasuwo ako ose.
  5668. Deu 28:56 Mukadzi munyoro uye wakareruka pakati pako asina kuedza kuisa pasi petsoka yake pavhu nekuda kwekureruka uye nekuda kwekunyorova, ziso rake richava rakaipa kumurume wechipfuva chake, nekumwanakomana wake, nekumwanasikana wake,
  5669. Deu 28:57 nerevakuru rake rinobuda kubva pakati petsoka dzake, nekuvana vake vaachabereka; nokuti achavadya pakavanda nekuda kwekushaiwa zvose, pakukombwa nepakumbandidzirwa vavengi vako kwavachakushungurudza nako pamasuwo ako.
  5670. Deu 28:58 Kana usingachengetedzi kuita mashoko ose emurairo uyu akanyorwa mubhuku iri, kutya zita iri rine rumbidzo uye rinotyisa: Jehovha Mwari wako;
  5671. Deu 28:59 ipapo Jehovha achaita matambudziko ako ashamise, nematambudziko embeu yako; ave matambudziko makuru neanoenderera mberi, nemarwere akaipa uye anoenderera mberi.
  5672. Deu 28:60 Uye achauisazve pamusoro pako zvirwere zvose zveEgipita zvawaiva uchitya; uye zvichanamatira kwauri.
  5673. Deu 28:61 Nechirwere chipi nechipi uye dambudziko ripi neripi zvisina kunyorwa mubhuku remurairo uyu, Jehovha achazvikwidza pamusoro pako kusvika waparadzwa.
  5674. Deu 28:62 Zvino muchasiiwa nevanhu vashoma, pakuti dai makaita senyeredzi dzematenga pakuwanda; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
  5675. Deu 28:63 Zvino zvichaitika Jehovha sezvaakakufarirai kukuitirai zvakanaka nekukuwanzai, saizvozvo Jehovha achakufarirai kukuparadzai nekukupedzai; uye muchadzurwa kubva panyika kwaunoenda kuigara nhaka.
  5676. Deu 28:64 Zvino Jehovha uchakuparadzira pakati pemarudzi ose kubva kumugumo umwe wenyika kusvikawo kune umwe mugumo wenyika; uye ikoko uchashumira vamwe vamwari iwe nemadzibaba ako vamusina kuziva, danda neibwe.
  5677. Deu 28:65 Zvino pakati pemarudzi awa haungawani zororo, nepasi petsoka yako hapangavi nenzvimbo yekuzorora; asi Jehovha achakupapo moyo unobvunda nekuremberera kwemaziso nekusuruvara kwemweya.
  5678. Deu 28:66 Uye upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uye uchatya usiku nesikati, uye haungavi nechivimbo cheupenyu hwako.
  5679. Deu 28:67 Mangwanani uchati: Dai aiva madekwani! uye madekwani uchati: Dai aiva mangwanani! nekuda kwekutya kwemoyo wako kwauchatya uye nekuda kwekuona kwemeso ako kwauchaona.
  5680. Deu 28:68 Zvino Jehovha achakuuisazve kuEgipita nezvikepe nenzira yandakati kwauri: Hauchazoionizve zvekare; zvino ipapo muchazvitengesa kuvavengi venyu muve nhapwa dzechirume nenhapwa dzechikadzi, asi hakungavi nemutengi.
  5681. Deu 29:1 Awa mashoko esungano Jehovha yaakaraira Mozisi kuita nevana vaIsraeri munyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu.
  5682. Deu 29:2 Zvino Mozisi wakadana Israeri wose ndokuti kwavari: Imwi makaona zvose Jehovha zvaakaita pamberi pemeso enyu munyika yeEgipita kuna Farao, nekuvaranda vake vose, nekunyika yake yose,
  5683. Deu 29:3 miedzo mikuru meso ako yaakaona, zviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru.
  5684. Deu 29:4 Zvakadaro Jehovha haana kukupai moyo wekunzwisisa nemeso ekuona nenzeve dzekunzwa, kusvika nhasi.
  5685. Deu 29:5 Zvino ndakakutungamirirai makore makumi mana murenje; nguvo dzenyu hadzina kusakara pamuri, neshangu yako haina kusakara patsoka dzako.
  5686. Deu 29:6 Hamuna kudya chingwa, uye hamuna kunwa waini nezvinwiwa zvinodhaka; kuti muzive kuti ndiri Jehovha Mwari wenyu.
  5687. Deu 29:7 Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakabuda kumirisana nesu pahondo, asi tikavarova.
  5688. Deu 29:8 Ndokutora nyika yavo, tikaipa kuva nhaka kuvaRubheni nekuvaGadhi nekuhafu yerudzi rwaManase.
  5689. Deu 29:9 Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muaite, kuti ubudiririse zvose zvaunoita.
  5690. Deu 29:10 Imwi mose mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu nhasi: Misoro yenyu, marudzi enyu, vakuru venyu, nevatariri venyu, murume wose waIsraeri,
  5691. Deu 29:11 vanana venyu, vakadzi venyu, nemutorwa wako ari pakati pemusasa wako, kubva kumutemi wehuni dzako kusvika kumucheri wemvura yako;
  5692. Deu 29:12 kupfuurira pasungano yaJehovha Mwari wako nepakupika kwake, Jehovha Mwari wako kwaanoita newe nhasi;
  5693. Deu 29:13 kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, uye iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove.
  5694. Deu 29:14 Zvino handiiti nemwi moga sungano iyi nemhiko iyi;
  5695. Deu 29:15 asi neuyo amire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye neuyo asipo pano nesu nhasi.
  5696. Deu 29:16 Nokuti imwi munoziva kuti takagara sei munyika yeEgipita, uye kuti takagura sei pakati pemarudzi amakagura paari.
  5697. Deu 29:17 Uye makaona zvinyangadzo zvavo, nezvifananidzo zvavo, danda neibwe, sirivha negoridhe, zvavaiva nazvo.
  5698. Deu 29:18 Zvimwe pave pakati penyu murume kana mukadzi kana mhuri kana rudzi, moyo wavo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kunoshumira vamwari vemarudzi awa; zvimwe pave pakati penyu mudzi unobereka nduru negavakava.
  5699. Deu 29:19 Zvino zvichaitika pauchanzwa mashoko ekutuka uku, kuti achazviropafadza pamoyo wake achiti: Ndichava nerugare, kunyange ndichifamba neukukutu hwemoyo wangu; kuti kupedzwe chinyoro nechakaoma.
  5700. Deu 29:20 Jehovha haadi kumuregerera, asi ipapo kutsamwa kwaJehovha negodo rake zvichapfungairira murume uyo; nekutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iri kuchagara paari; uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pematenga.
  5701. Deu 29:21 Zvino Jehovha achamutsaurira zvakaipa kubva pamarudzi ose aIsraeri, zvichienderana nekutukwa kose kwesungano kwakanyorwa mubhuku iri remurairo.
  5702. Deu 29:22 Ipapo rudzi rwunozouya, vana venyu, vachamuka shure kwenyu, nemutorwa achabva kunyika iri kure, vachataura, kana vachiona matambudziko enyika iyo nematenda Jehovha aachaisa pamusoro payo,
  5703. Deu 29:23 nyika yayo yose sarufa nemunyu nekutsva, haidzvarwi, uye haikudzi, uswa hupi nehupi hahumerimo, sekuparadzwa kweSodhoma neGomora, Adhima neZebhoimu, Jehovha aakaparadza pahasha dzake nepakupfuta kwake;
  5704. Deu 29:24 uye marudzi ose achati: Jehovha wakaitirei kudai kunyika iyo? Kupisa kwekutsamwa kukuru sei?
  5705. Deu 29:25 Ipapo vachati: Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wemadzibaba avo yaakaita navo, iye pakuvabudisa panyika yeEgipita;
  5706. Deu 29:26 ndokuenda ndokushumira vamwe vamwari, ndokuvanamata; vamwari vavasingazivi, uye waasina kuvagovera.
  5707. Deu 29:27 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira nyika iyi, kuuisa pairi kutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iri.
  5708. Deu 29:28 Zvino Jehovha wakavadzura kubva panyika yavo nekutsamwa uye nekupfuta uye nehasha huru, ndokuvarasira kune imwe nyika sanhasi.
  5709. Deu 29:29 Zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvakaratidzwa ndezvedu nezvevana vedu nekusingaperi, kuita mashoko ose emurairo uyu.
  5710. Deu 30:1 Zvino zvichaitika kana zvinhu zvose izvi zvikakuwira, ropafadzo nechakatukwa zvandaisa pamberi pako, kuti uchazvimutsidzira mumoyo mako, pakati pemarudzi ose Jehovha Mwari wako kwaanokudzingira;
  5711. Deu 30:2 uye uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, uye uchateerera kuinzwi rake zvichienderana nezvose zvandinokuraira nhasi, iwe nevana vako, nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wese;
  5712. Deu 30:3 ipapo Jehovha Mwari wako achadzosa utapwa hwako, nekukunzwira tsitsi, ndokudzoka ndokuunganidza kubva pamarudzi ose Jehovha Mwari wako kwaakakuparadzira.
  5713. Deu 30:4 Kunyange vakadzingwa vako vari kumugumo wekumatenga, Jehovha Mwari wako achakuunganidza kubvapo, uye achakutora kubvapo.
  5714. Deu 30:5 Zvino Jehovha Mwari wako achakupinza munyika madzibaba ako yavakagara nhaka, uye uchaigara nhaka; zvino achakuitira zvakanaka nekukuwanza kupfuura madzibaba ako.
  5715. Deu 30:6 Zvino Jehovha Mwari wako achadzingisa moyo wako, nemoyo wembeu yako, kuti ude Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose, kuti urarame.
  5716. Deu 30:7 Zvino Jehovha Mwari wako achaisa zvakatukwa zvose izvi pamusoro pevavengi vako nepane vanokuvenga, vanokushusha.
  5717. Deu 30:8 Zvino iwe uchadzokera ndokuteerera inzwi raJehovha, ndokuita mirairo yake yose yandinokuraira nhasi.
  5718. Deu 30:9 Zvino Jehovha Mwari wako achakuwanzisa pabasa rose reruoko rwako, pachibereko chechizvaro chako, nepachibereko chemombe dzako, nepachibereko chevhu rako, kuti zvinake; nokuti Jehovha achadzoka kukufarira pane zvakanaka sezvaakafarira madzibaba ako;
  5719. Deu 30:10 kana uchazoteerera kuinzwi raJehovha Mwari wako kuchengeta mirairo yake nezvimiso zvake zvakanyorwa mubhuku iri remurairo; kana uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose.
  5720. Deu 30:11 Nokuti murairo uyu wandinokuraira nhasi hauna kuvanzwa kwauri, uye hausi kure.
  5721. Deu 30:12 Hausi kumatenga uchiti: Ndiani achatikwirira kumatenga kunotivigira iwo kuti agotinzwisa iwo kuti tigomuita?
  5722. Deu 30:13 Uye hausi mhiri kwegungwa uchiti: Ndiani achatiyambukira mhiri kwegungwa anotivigira iwo, kuti agotinzwisa iwo kuti tiuite?
  5723. Deu 30:14 Nokuti shoko riri pedo kwazvo newe, mumuromo mako, nemumoyo mako, kuriita.
  5724. Deu 30:15 Ona, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nekunaka, nerufu nekuipa.
  5725. Deu 30:16 Zvandinokuraira nhasi kuda Jehovha Mwari wako, kufamba munzira dzake, nekuchengeta mirairo yake, nezvimiso zvake, nemitongo yake, kuti urarame uye uwande; zvino Jehovha Mwari wako achakuropafadza kunyika kwaunoenda kwairi kunoigara nhaka.
  5726. Deu 30:17 Asi kana moyo wako ukatendeuka kuti usateerera asi ukakweverwa kure ndokukotamira vamwe vamwari nekuvashumira,
  5727. Deu 30:18 ndinokuudzai nhasi kuti muchaparara zvirokwazvo; hamungarebesi mazuva panyika kwaunoyambukira Joridhani kupindamo kunoigara nhaka.
  5728. Deu 30:19 Nhasi ndinodana matenga nepasi kukupupurirai: Upenyu nerufu ndazviisa pamberi pako, ropafadzo nechakatukwa; naizvozvo sarudza upenyu kuti urarame, iwe nembeu yako;
  5729. Deu 30:20 kuti ude Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye unamatire kwaari; nokuti ndiye upenyu hwako nekurebeswa kwemazuva ako; kuti ugare munyika Jehovha yaakapikira kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, uye kuna Jakove, kuvapa iyo.
  5730. Deu 31:1 Zvino Mozisi wakaenda ndokutaura mashoko awa kuna Israeri wose,
  5731. Deu 31:2 ndokuti kwavari: Ndine makore zana nemakumi maviri nhasi; handichagonizve kubuda nekupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri: Haungayambuki Joridhani urwu.
  5732. Deu 31:3 Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka mberi kwako; ndiye achaparadza marudzi awa kubva pamberi pako, uye uchaagara nhaka; Joshua ndiye achayambuka pamberi pako, Jehovha sezvaakataura.
  5733. Deu 31:4 Zvino Jehovha achaita kwavari sezvaakaita kuna Sihoni nekuna Ogi madzimambo evaAmori, nekunyika yavo, vaakaparadza.
  5734. Deu 31:5 Zvino Jehovha achavapa pamberi pechiso chenyu, kuti muite kwavari zvichienderana nemurairo wose wandakakurairai.
  5735. Deu 31:6 Simbai, uye tsungai, musatya kana kuvhunduswa pamberi pezviso zvavo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye anoenda newe; haangakurasi kana kukusiya.
  5736. Deu 31:7 Zvino Mozisi wakadana kuna Joshua ndokuti kwaari pameso aIsraeri wose: Simba uye tsunga, nokuti iwe uchapinda nevanhu ava panyika Jehovha yaakapikira madzibaba avo kuvapa, uye iwe uchavagarisa nhaka iyo.
  5737. Deu 31:8 NaJehovha ndiye anofamba mberi kwako; iye achava newe; haangakurasi uye haangakusii; usatya uye usavhunduswa.
  5738. Deu 31:9 Zvino Mozisi wakanyora murairo uyu ndokuupa kuvapristi vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, nekuvakuru vose vaIsraeri.
  5739. Deu 31:10 Zvino Mozisi wakavaraira achiti: Pakupera kwemakore manomwe, panguva yakatarwa yegore resununguro, pamutambo wemisasa,
  5740. Deu 31:11 apo Israeri wose auya kuonekwa pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza, uchaverenga murairo uyu pamberi paIsraeri wose munzeve dzavo.
  5741. Deu 31:12 Unganidza vanhu, varume, nevakadzi, nevanana, nemutorwa wako ari pakati pemasuwo ako, kuti vanzwe, uye kuti vadzidze, vagotya Jehovha Mwari wenyu, vachengetedze kuita mashoko ose emurairo uyu.
  5742. Deu 31:13 Uye vana vavo vasingazivi vanzwe, vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu mazuva ose amuchagara panyika yamunoyambuka Joridhani kuenda kwairi kunoigara nhaka.
  5743. Deu 31:14 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira, mazuva ako ekufa aswedera; dana Joshua mugozvimisa mutende rekusangana, kuti ndimuraire. Mozisi naJoshua ndokuenda ndokuzvimisa mutende rekusangana.
  5744. Deu 31:15 Jehovha ndokuonekwa mutende mushongwe yegore; zvino shongwe yegore yakamira pamusoro pemukova wetende.
  5745. Deu 31:16 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira, ucharara nemadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokufeva vachitevera vamwari vevatorwa venyika kwavanoendamo pakati pavo; uye vachandisiya nekuputsa sungano yangu yandakaita navo.
  5746. Deu 31:17 Zvino kutsamwa kwangu kuchavapfutira nezuva iro; uye ndichavasiya nekuvavanzira chiso changu, vachava zvekudya, nezvakaipa zvizhinji nematambudziko zvichavawira; kusvika vati nezuva iro: Zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?
  5747. Deu 31:18 Zvino ini ndichavanza chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nekuda kwezvakaipa zvose zvavakaita, nokuti vakatsaukira kune vamwe vamwari.
  5748. Deu 31:19 Naizvozvo ikozvino zvinyorerei rwiyo urwu, murwudzidzise kuvana vaIsraeri, murwuise mumuromo mavo, kuti rwiyo urwu rwuve uchapupu kwandiri hwakamirisana nevana vaIsraeri.
  5749. Deu 31:20 Nokuti ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, inoyerera mukaka neuchi, zvino vadya ndokuguta, vakorawo, zvino vachatsaukira kune vamwe vamwari ndokuvashumira, ndokundizvidza nekuputsa sungano yangu.
  5750. Deu 31:21 Zvino zvichaitika kana zvakaipa zvizhinji nematambudziko zvavawira, kuti rwiyo urwu rwuchapupura kuzviso zvavo kuva chapupu; nokuti harwungakanganikwi kubva pamuromo wembeu yavo, nokuti ndinoziva murangariro wavanoita nhasi ndisati ndavapinza munyika yandinopikira.
  5751. Deu 31:22 Zvino Mozisi wakanyora rwiyo urwu nezuva iro, ndokurwudzidzisa vana vaIsraeri.
  5752. Deu 31:23 Zvino wakaraira Joshua mwanakomana waNuni ndokuti: Simba, utsunge, nokuti iwe uchapinza vana vaIsraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.
  5753. Deu 31:24 Zvino zvakaitika Mozisi apedza kunyora mashoko emurairo uyu mubhuku, kusvika apera,
  5754. Deu 31:25 kuti Mozisi wakaraira vaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti:
  5755. Deu 31:26 Torai bhuku iri remurairo, muriise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti rivepo kuva uchapupu hwakamirisana newe.
  5756. Deu 31:27 Nokuti ini ndinoziva upanduki hwako, nemutsipa wako mukukutu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pamwe nemwi nhasi, manga muri vapanduki kuna Jehovha; zvino zvikuru shure kwekufa kwangu!
  5757. Deu 31:28 Ndiunganidzire vakuru vose vemarudzi enyu nevatungamiriri venyu, kuti nditaure mashoko awa munzeve dzavo, uye ndidane matenga nepasi kuva zvapupu zvakamirisana navo.
  5758. Deu 31:29 Nokuti ndinoziva kuti shure kwekufa kwangu muchava vakaora kwazvo uye muchatsauka panzira yandinokurairai; uye kuipa kuchakuwira pakuguma kwemazuva; nokuti muchaita zvakaipa pameso aJehovha kuti mumutsamwise nebasa remaoko enyu.
  5759. Deu 31:30 Zvino Mozisi wakataura mashoko erwiyo urwu munzeve dzeungano yose yaIsraeri, kusvika apera.
  5760. Deu 32:1 Ipa nzeve [iwe] matenga, zvino ndichataura; uye nyika ngainzwe mashoko emuromo wangu.
  5761. Deu 32:2 Dzidziso yangu ichadonha semvura, chirevo changu chichayerera sedova, seguti pabumhudza, uye sekupfunha pamiriwo.
  5762. Deu 32:3 Nokuti ndichadanidzira zita raJehovha. Mupei ukuru kuna Mwari wedu.
  5763. Deu 32:4 Idombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose mitongo yakarurama. Mwari wechokwadi, uye asina zvakaipa; wakanaka uye wakarurama.
  5764. Deu 32:5 Vakamuitira zvakashata; havasi vana vake; chipomerwa ndechavo; zera rakatsauka uye rakakombama.
  5765. Deu 32:6 Munotsiva Jehovha saizvozvo here, haiwa vanhu mapenzi uye vasina kuchenjera? Haasi baba vako vakakutenga here? Iye wakakuita uye wakakusimbisa.
  5766. Deu 32:7 Rangarira mazuva ekare; funga makore emazera mazhinji; bvunza baba vako, zvino vachakuratidza; vatana vako, zvino vachakuudza.
  5767. Deu 32:8 Wekumusoro-soro paachapa marudzi nhaka, pakutsaura kwake vanakomana vaAdhamu, wakamisa miganhu yemarudzi zvichienderana neuwandu hwevana vaIsraeri.
  5768. Deu 32:9 Nokuti mugove waJehovha vanhu vake; Jakove chikamu chenhaka yake.
  5769. Deu 32:10 Wakamuwana munyika renje, nemugwenga risina chinhu rinovovora; wakamutungamirira akamutenderedza; wakamudzidzisa; wakamuchengeta semboni yeziso rake.
  5770. Deu 32:11 Segondo rinomutsa dendere raro, richiengerera pamusoro pemanyana aro, richitandavadza mapapiro aro, richimatora, richimabereka paminhenga yaro,
  5771. Deu 32:12 Jehovha oga wakamutungamirira, uye kwaiva kusina mwari wekumwe naye.
  5772. Deu 32:13 Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzepasi, kuti adye zvibereko zvemunda; uye wakamusvetesa uchi hunobva padombo, nemafuta kubva padombo remusarasara,
  5773. Deu 32:14 magada emhou, nemukaka wemakwai, pamwe nemafuta emakwayana, uye emakondohwe erudzi rweBhashani, uye embudzi, pamwe nemafuta etsvo dzegorosi; uye iwe wakanwa waini paropa rezvibereko zvemuzambiringa.
  5774. Deu 32:15 Asi Jeshuruni wakakora ndokukava; iwe wakakora, wakava mukobvu, wakaputirwa nemafuta; zvino iye wakasiya Mwari wakamuita, ndokuzvidza Dombo reruponeso rwake.
  5775. Deu 32:16 Vakamugodoresa nezvemarudzi; vakamutsamwisa nezvinyangadzo.
  5776. Deu 32:17 Vakabaira kumadhimoni, kwete Mwari, vamwari vavaiva vasingazivi, vatsva vaiva vachangouya, madzibaba enyu vavasina kutya.
  5777. Deu 32:18 Dombo rakakubereka wakarikanganwa, uye wakakanganwa Mwari wakakuzvara.
  5778. Deu 32:19 Jehovha wakati azviona, wakasema, nekuda kwekutsamwisa kwevanakomana vake nevanasikana vake.
  5779. Deu 32:20 Zvino wakati: Ndichavanza chiso changu kwavari; ndichaona mugumo wavo uchavei; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka mavari.
  5780. Deu 32:21 Ivo vakandimutsira godo nechisiri Mwari; vakanditsamwisa nezvisina maturo zvavo; neni ndichavagodoresa nevasiri vanhu; ndichavatsamwisa nerudzi benzi.
  5781. Deu 32:22 Nokuti moto wakatungidzwa pakutsamwa kwangu, uye uchapisa kusvika pagehena repasi-pasi, uye uchapedza pasi nezvibereko zvapo, nekubatidza nheyo dzemakomo.
  5782. Deu 32:23 Ndichaunganidza zvakaipa pamusoro pavo, ndichapedzera miseve yangu pamusoro pavo.
  5783. Deu 32:24 Vachaziya nenzara, nekupedzwa nekupisa kunopfuta nemharadzo inovava; ndichatumawo mazino ezvikara pakati pavo, pamwe neuturu hwezvinokambaira zveguruva.
  5784. Deu 32:25 Kunze munondo uchavaita vafirwe, uye kutya mudzimba dzemukati, vari vaviri jaya nemhandara, anoyanwa pamwe nemurume wevhudzi rakachena.
  5785. Deu 32:26 Ndakati: Ndichavaparadzira, ndichaita kurangarirwa kwavo kugume kubva pavanhu.
  5786. Deu 32:27 Dai ndisina kutya kutsamwa kwemuvengi, zvimwe vadzivisi vavo vangaziva, zvimwe vangati: Ruoko rwedu rwakakwirira, uye Jehovha haaiti zvose izvi.
  5787. Deu 32:28 Nokuti rudzi rwusina kurairwa, uye hakuna kunzwisisa mavari.
  5788. Deu 32:29 Dai vaiva vakachenjera, vainzwisisa izvi, vazivisise mugumo wavo!
  5789. Deu 32:30 Umwe angadzinga sei churu, nevaviri vangatizisa zvuru gumi, kunze kwekuti Dombo ravo ravatengesa, naJehovha avapa kwavari?
  5790. Deu 32:31 Nokuti dombo ravo harina kuita seDombo redu, kunyange vavengi vedu vari vatongi.
  5791. Deu 32:32 Nokuti muzambiringa wavo ndewemuzambiringa weSodhoma uye weminda yeGomora; mazambiringa avo mazambiringa enduru, ane masumbu anovava.
  5792. Deu 32:33 Waini yavo mucheturo hwebukanana, neuturu hunotyisa hwemhungu.
  5793. Deu 32:34 Izvi hazvina kuunganidzwa kwandiri here, zvakanamirwa pakati pezvakakosha zvangu here?
  5794. Deu 32:35 Kutsiva ndekwangu, nekudzosera, panguva yekutedzemuka kwetsoka yavo; nokuti zuva renjodzi yavo riri pedo, nezvinhu zvavakagadzirirwa zvinokurumidza.
  5795. Deu 32:36 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, nekuzvidemba nekuda kwevaranda, paachaona kuti simba raenda, uye hakuna wakavharirwa newakasununguka.
  5796. Deu 32:37 Zvino achati: Vamwari vavo varipi, dombo ravaiva vachivimba naro?
  5797. Deu 32:38 Ivo vaidya mafuta ezvibairo zvavo, nekunwa waini yezvipo zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke vakubatsirei, ngaave utiziro hwenyu.
  5798. Deu 32:39 Onai zvino, kuti ini ndini iye, uye hakuna mwari pamwe neni; ini ndinouraya uye ndinoraramisa; ndinorova uye ini ndinoporesa; uye hakuna ungabvuta paruoko rwangu.
  5799. Deu 32:40 Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kumatenga, ndigoti: Ndinorarama nekusingaperi.
  5800. Deu 32:41 Kana ndichirodza munondo wangu unobwinya, neruoko rwangu rwakabatirira pakutonga, ndichadzosera tsivo kuvavengi vangu, ndipe muripo vanondivenga.
  5801. Deu 32:42 Ndichadhakisa miseve yangu neropa, uye munondo wangu uchadya nyama, neropa revakaurawa nerevakatapwa, pakutanga kwetsivo pamuvengi.
  5802. Deu 32:43 Farai imwi marudzi, vanhu vake, nokuti achatsiva ropa revaranda vake, nekudzosera tsivo kuvavengi vake, uye achaitira nyika yake, vanhu vake, chiyananiso.
  5803. Deu 32:44 Zvino Mozisi wakauya ndokutaura mashoko ose erwiyo urwu munzeve dzevanhu, iye naHoshea, mwanakomana waNuni.
  5804. Deu 32:45 Zvino Mozisi wakapedza kutaura mashoko awa ose kuna Israeri wose;
  5805. Deu 32:46 ndokuti kwavari: Isai moyo wenyu kumashoko ose andinopupura pakati penyu nhasi, amucharaira vana venyu kuchengetedza kuita mashoko ose emurairo uyu.
  5806. Deu 32:47 Nokuti hachisi chinhu chisina maturo kwamuri, nokuti upenyu hwenyu; uye kubudikidza nechinhu ichi mucharebesa mazuva panyika kwamunoyambuka Joridhani kuenda kwairi kunoigara nhaka.
  5807. Deu 32:48 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nezuva iroro achiti:
  5808. Deu 32:49 Kwira mugomo iri Abharimu, gomo reNebho riri panyika yaMoabhu riri pakatarisana neJeriko, ugoona nyika yeKenani yandinopa kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka.
  5809. Deu 32:50 Ugofira pagomo kwaunokwira kwariri, ugounganidzwa kuvanhu vako; saAroni mukoma wako wakafira mugomo reHori ndokuunganidzwa kuvanhu vake;
  5810. Deu 32:51 nokuti makadarika kupesana neni pakati pevana vaIsraeri pamvura yeMeribha-Kadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kundiita mutsvene pakati pevana vaIsraeri.
  5811. Deu 32:52 Nokuti uchaona nyika pamberi pako, asi haungapindipo, panyika yandinopa vana vaIsraeri.
  5812. Deu 33:1 Zvino ndiyo ropafadzo Mozisi munhu waMwari yaakaropafadza nayo vana vaIsraeri, asati afa.
  5813. Deu 33:2 Iye ndokuti: Jehovha wakabva kuSinai, akavabudira achibva kuSeiri; akapenya ari pagomo reParani, akauya achibva pazvuru zvine gumi zvevatsvene; paruoko rwake rwerudyi paiva pane murairo wemoto kwavari.
  5814. Deu 33:3 Zvirokwazvo anoda vanhu. Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; ivo vakagara pasi patsoka dzenyu; umwe neumwe uchagamuchira zvemashoko enyu.
  5815. Deu 33:4 Mozisi wakatiraira murairo, nhaka yeungano yaJakove.
  5816. Deu 33:5 Waiva ari mambo paJeshuruni, pakuzviunganidza kwemisoro yevanhu, pamwe chete nemarudzi ose aIsraeri.
  5817. Deu 33:6 Rubheni ngaararame, arege kufa, uye vanhu vake ngavave uwandu.
  5818. Deu 33:7 Uye izvi ndezvaJudha, ndokuti: Inzwai, Jehovha, inzwi raJudha, mumupinze kuvanhu vake; maoko ake achamurwira; uye imwi muchava rubatsiro kumirisana nevavengi vake.
  5819. Deu 33:8 Zvino pana Revhi wakati: Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezveunonamatwa wenyu, iye wamakaidza paMasa, wamakarwa naye pamvura yeMeribha;
  5820. Deu 33:9 iye wakati pana baba vake nepana mai vake: Handina kumuona; nehama dzake haana kudzirangarira, kana kuziva vana vake; nokuti vakateerera shoko renyu, nekuchengeta sungano yenyu.
  5821. Deu 33:10 Vachadzidzisa Jakove mitongo yenyu, naIsraeri murairo wenyu; vachaisa zvinonhuhwira pamberi penyu, nechipo chinopiswa chakakwana paaritari dzenyu.
  5822. Deu 33:11 Jehovha, ropafadzai simba rake, uye gamuchirai basa remaoko ake; gurai zviuno zvevanomumukira nezvevanomuvenga, kuti varege kusimuka.
  5823. Deu 33:12 Pana Bhenjamini wakati: Mudikanwi waJehovha achagara kwaari akachengetwa; anomufukidza zuva rose; anogara pakati pemafudzi ake.
  5824. Deu 33:13 Zvino pana Josefa wakati: Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha, nezvinhu zvakanakisa zvekumatenga, nedova, uye neudziku hurere pazasi,
  5825. Deu 33:14 uye nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva, uye nezvinhu zvakanakisa zvezvinobudiswa nemwedzi;
  5826. Deu 33:15 uye nezvinhu zvakanaka zvemakomo ekare, uye nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,
  5827. Deu 33:16 uye nezvinhu zvakanakisa zvenyika nekuzara kwayo, nemoyo wakanaka waiye waiva agere mugwenzi; kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, nepanhongonya yaiye wakatsaurwa kubva pahama dzake.
  5828. Deu 33:17 Kukudzwa kwake idangwe renzombe yake, uye nyanga dzake inyanga dzenyati; nadzo achasundira marudzi pamwe kusvika kumigumo yenyika. Zvino ndivo zvuru gumi zvaEfuremu, uye ndivo zvuru zvaManase.
  5829. Deu 33:18 Zvino pana Zebhuruni wakati: Fara Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isasikari, pamatende ako.
  5830. Deu 33:19 Vachadanira vanhu kugomo; ipapo vachapa zvibairo zvekururama; nokuti vachanwa zvizhinji zvemakungwa nezvakakosha zvakavigwa zvejecha.
  5831. Deu 33:20 Zvino pana Gadhi wakati: Ngaaropafadzwe anokurisa Gadhi; anogara seshumbakadzi, anobvambura chanza, kunyange nhongonya.
  5832. Deu 33:21 Wakazvirangarira nezvakanakisisa; nokuti ipapo mugove wemupi wemurairo anochengetedzwa; uye wakauya nemisoro yevanhu; wakaita kururama kwaJehovha, nemitongo yake naIsraeri.
  5833. Deu 33:22 Zvino pana Dhani wakati: Dhani imbwanana yeshumba, achakwakuka kubva paBhashani.
  5834. Deu 33:23 Zvino pana Nafutari wakati: Nafutari, wakagutswa nenyasha, uye uzere neropafadzo yaJehovha; gara nhaka yekumavirazuva nechamhembe.
  5835. Deu 33:24 Zvino pana Asheri wakati: Asheri ngaaropafadzwe nevana; ngaagamuchirwe kuhama dzake, uye ngaanyike tsoka yake mumafuta.
  5836. Deu 33:25 Shangu dzako idare nendarira; uye simba rako richafanana nemazuva ako.
  5837. Deu 33:26 Hakuna wakaita saMwari, Jeshuruni, anotasva matenga parubatsiro rwako, uye neukuru hwake muchadenga.
  5838. Deu 33:27 Mwari wekusingaperi ari ugaro, nepasi pane zvanza zvekusingaperi; anodzinga muvengi pamberi pako, ndokuti: Paradza.
  5839. Deu 33:28 Naizvozvo Israeri achagara pakuchengeteka ari oga; ziso raJakove richava panyika yezviyo newaini itsva; hongu, matenga ake achadonhedza dova.
  5840. Deu 33:29 Wakaropafadzwa iwe Israeri; ndiani wakafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha, nhovo yerubatsiro rwako, naiye ari munondo weukuru hwako! Zvino vavengi vako vachazviisa pasi kwauri; newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.
  5841. Deu 34:1 Zvino Mozisi wakakwira kubva pamapani ekwaMoabhu achienda kugomo reNebho, nhongonya yePisiga iri pakatarisana neJeriko. Jehovha ndokumutaridza nyika yose, Giriyadhi kusvika kuDhani,
  5842. Deu 34:2 neNafutari yose, nenyika yaEfuremu, naManase, nenyika yose yaJudha, kusvika pagungwa rekupedzisira;
  5843. Deu 34:3 nechamhembe, nebani remupata weJeriko, guta remichindwe, kusvika Zoari.
  5844. Deu 34:4 Zvino Jehovha akati kwaari: Iyi inyika yandakapikira Abhurahama, Isaka, naJakove, ndichiti: Ndichaipa kumbeu yako; ndakakuita kuti uone nemeso ako, asi haungayambukiriko.
  5845. Deu 34:5 Zvino Mozisi muranda waJehovha wakafirapo munyika yaMoabhu, zvichienderana neshoko raJehovha.
  5846. Deu 34:6 Zvino wakamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-Peori; asi hakuna munhu anoziva guva rake kusvika nhasi.
  5847. Deu 34:7 Zvino Mozisi waiva wemakore zana nemakumi maviri pakufa kwake; meso ake aiva asati osvibirirwa, neutsva hwake husati hwatiza.
  5848. Deu 34:8 Vana vaIsraeri vakachema Mozisi pamapani ekwaMoabhu mazuva makumi matatu; saizvozvo mazuva emariro ekuchemera Mozisi akapera.
  5849. Deu 34:9 Zvino Joshua mwanakomana waNuni waiva azere nemweya wekuchenjera; nokuti Mozisi waiva aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsraeri ndokumuteerera, ndokuita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  5850. Deu 34:10 Zvino hakuna kumukazve muporofita pakati paIsraeri wakaita saMozisi, Jehovha waakaziva chiso nechiso;
  5851. Deu 34:11 pazviratidzo zvose nezvishamiso, Jehovha zvaakamutuma kunoita panyika yeEgipita, kuna Farao nekuvaranda vake vose nekunyika yake yose;
  5852. Deu 34:12 neparuoko rwose urwo rwune simba, nepakutyisa kukuru kose, Mozisi kwaakaita pamberi pemeso aIsraeri wose
  5853. Jos 1:1 Zvino shure kwekufa kwaMozisi muranda waJehovha zvakaitika kuti Jehovha wakataura kuna Joshua mwanakomana waNuni muranda waMozisi achiti:
  5854. Jos 1:2 Mozisi muranda wangu wafa; naizvozvo ikozvino simuka uyambuke Joridhani urwu, iwe nevanhu ava vose, muende kunyika yandinopa kwavari, kuvana vaIsraeri.
  5855. Jos 1:3 Nzvimbo yose pasi petsoka yenyu yapachatsika ndakakupai iyo, sezvandakareva kuna Mozisi.
  5856. Jos 1:4 Kubva murenje neRebhanoni iri kusvikawo kurwizi rukuru, rwizi Furati, nyika yose yevaHiti, uye kusvika kugungwa guru, mavirazuva, ndiwo muganhu wenyu.
  5857. Jos 1:5 Hakuna munhu achazvimisa pamberi pako mazuva ose eupenyu hwako; sezvandaiva naMozisi ndichava newe; handingakuregi kana kukusiya.
  5858. Jos 1:6 Simba, utsunge, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yenyika yandakapikira madzibaba avo kuvapa.
  5859. Jos 1:7 Koga simba uye utsunge kwazvo, kuti uchengetedze kuita zvinoenderana nemurairo wose Mozisi muranda wangu waakakuraira; usatsauka pauri kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire pane kose kwaunoenda.
  5860. Jos 1:8 Bhuku iri remurairo risabva pamuromo wako, asi uchafungisisa mariri masikati neusiku, kuti uchengetedze kuita zvinoenderana nezvose zvakanyorwamo, nokuti ipapo uchabudiririsa nzira yako, uye ipapo uchabudirira.
  5861. Jos 1:9 Handina kukuraira here? Simba, utsunge; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kose kwaunoenda.
  5862. Jos 1:10 Ipapo Joshua wakaraira vatungamiriri vevanhu achiti:
  5863. Jos 1:11 Gurai nepakati pemusasa mugoraira vanhu muchiti: Zvigadzirirei mbuva, nokuti pachine mazuva matatu muchayambuka Joridhani urwu, kuti mupinde mugare nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanokupai kuigara nhaka.
  5864. Jos 1:12 Zvino Joshua wakataura kuvaRubheni nekuvaGadhi nekuhafu yerudzi rwaManase achiti:
  5865. Jos 1:13 Rangarirai shoko Mozisi muranda waJehovha raakakurairai achiti: Jehovha Mwari wenyu achakuzorodzai uye achakupai nyika iyi.
  5866. Jos 1:14 Vakadzi venyu, vanana venyu, nezvipfuwo zvenyu, zvichasara panyika Mozisi yaakakupai kurutivi runo rwaJoridhani, asi imwi muchayambuka makashonga zvombo pamberi pehama dzenyu, varume vakasimba vose veumhare, mugovabatsira;
  5867. Jos 1:15 kusvika Jehovha azorodza hama dzenyu semwi, naivowo vagara nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanovapa; ipapo muchadzokera kunyika yenhaka yenyu mugoigara nhaka, Mozisi muranda waJehovha yaakakupai kurutivi rwekuno kwaJoridhani kumabvazuva.
  5868. Jos 1:16 Zvino vakapindura Joshua vachiti: Zvose zvamunotiraira tichaita, uye kose kwamunotituma tichaenda.
  5869. Jos 1:17 Zvichienderana nezvose zvatakateerera Mozisi nazvo, saizvozvo tichakuteererai. Koga Jehovha Mwari wenyu ngaave nemwi sezvaaiva naMozisi.
  5870. Jos 1:18 Munhu wose anomukira muromo wenyu asingateereri kumashoko enyu pazvose zvamunomuraira achaurawa; koga simbai mutsunge.
  5871. Jos 2:1 Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma kubva kuShitimi varume vaviri kuva vashori pachivande achiti: Endai munoona nyika neJeriko. Zvino vakaenda, ndokusvikira mumba memukadzi chifeve, uye zita racho [raiva] Rakabhi, ndokurarapo.
  5872. Jos 2:2 Zvino zvakaudzwa mambo weJeriko zvichinzi: Tarirai, kwapinda pano usiku huno varume vevana vaIsraeri kuzoshora nyika.
  5873. Jos 2:3 Zvino mambo weJeriko wakatuma kuna Rakabhi achiti: Budisa varume ava vakasvika kwauri, vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.
  5874. Jos 2:4 Asi mukadzi wakatora varume ava vaviri ndokuvaviga ndokureva seizvi: Varume vakasvika kwandiri, asi ndaiva ndisingazivi kwavanobva.
  5875. Jos 2:5 Zvino zvaitika pakuvharwa kwesuwo, kwasviba, varume ndokubuda; handizivi kwakaenda varume; vateverei nekukurumidza, nokuti muchavabata.
  5876. Jos 2:6 Asi iye waiva avakwidza padenga, ndokuvaviga nemajanga emasosovori aiva akawaridzirwa iye padenga.
  5877. Jos 2:7 Zvino varume vakavateverera nenzira yeJoridhani kusvika kumazambuko. Zvino vakapfiga suwo pavakangobuda vakavateverera.
  5878. Jos 2:8 Zvino vasati varara iye wakakwira kwavari pamusoro pedenga.
  5879. Jos 2:9 Ndokuti kuvarume: Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, uye kuti kutyisa kwenyu kwakawira pamusoro pedu, uye kuti vagari vose venyika vanonyunguduka nekuda kwenyu.
  5880. Jos 2:10 Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pakubuda kwenyu muEgipita, nezvamakaitira madzimambo maviri evaAmori, vaiva mhiri kwaJoridhani, kuna Sihoni nekuna Ogi, vamakanyangarisa.
  5881. Jos 2:11 Patakangonzwa izvi moyo wedu wakanyunguduka, uye hakuna kusarazve kushinga pamunhu nekuda kwenyu. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumatenga kumusoro uye panyika pasi.
  5882. Jos 2:12 Naizvozvo ikozvino, ndipikirei henyu naJehovha, zvandakakuitirai tsitsi, nemwiwo muchaitira imba yababa vangu tsitsi, uye mundipe chiratidzo chakavimbika,
  5883. Jos 2:13 kuti muchengete baba vangu vari vapenyu namai vangu nehanzvadzi dzangu nemadzikoma nevanin’ina vangu, nezvose zvavanazvo, kuti mununure upenyu hwedu parufu.
  5884. Jos 2:14 Zvino varume vakati kwaari: Mweya wedu ngaufe pachinzvimbo chenyu, kana mukasabudisa pachena nyaya yedu iyi. Uye zvichaitika kuti Jehovha paanenge atipa nyika, tichakuitira tsitsi nechokwadi.
  5885. Jos 2:15 Zvino wakavaburusa netambo nepahwindo, nokuti imba yake yaiva pamusoro perusvingo rweguta, uye waigara pamusoro perusvingo.
  5886. Jos 2:16 Zvino wakati kwavari: Endai kugomo, zvimwe vatevereri vangasangana nemwi, mugozvivigako mazuva matatu, kusvika vatevereri vadzoka; zvino pashure mungaenda nenzira yenyu.
  5887. Jos 2:17 Zvino varume vakati kwaari: Isu tichava vasina mhosva pamhiko yako iyi yawatipikisa.
  5888. Jos 2:18 Tarira, kana tasvika munyika, uchasungira tambo yerushinda rutsvuku iyi pahwindo pawakatiburusa napo; nababa vako namai vako nehanzvadzi dzako nevose veimba yababa vako uvaunganidzire kwauri mumba.
  5889. Jos 2:19 Zvino zvichaitika, ani nani achabuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pemusoro wake, asi isu tichava vasina mhosva; uye ani nani anewe mumba, ropa rake richava pamusoro pemusoro wedu, kana ruoko rwukava pamusoro pake.
  5890. Jos 2:20 Asi kana ukabudisa pachena nyaya yedu iyi, isu tichava vasina mhosva nemhiko yako yawakatipikisa.
  5891. Jos 2:21 Iye ndokuti: Zvichienderana nemashoko enyu, ngazvive saizvozvo. Zvino wakavaendesa vakaenda, iye ndokusungira tambo tsvuku pahwindo.
  5892. Jos 2:22 Zvino vakaenda ndokusvika kugomo ndokugarako mazuva matatu kusvika vatevereri vadzoka; nokuti vatevereri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.
  5893. Jos 2:23 Naizvozvo varume ava vaviri vakadzoka vachiburuka mugomo, ndokuyambuka ndokusvika kuna Joshua mwanakomana waNuni; ndokumuudza zvose zvavaiva vaitirwa.
  5894. Jos 2:24 Zvino vakati kuna Joshua: Zvirokwazvo Jehovha wakakumikidza nyika yose mumaoko edu; uyewo vagari vose venyika iyo vanyunguduka pamberi pedu.
  5895. Jos 3:1 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani; zvino vakabva paShitimi ndokusvika paJoridhani, iye nevana vaIsraeri vose, ndokurarapo vasati vayambuka.
  5896. Jos 3:2 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva matatu kuti vatariri vakagura nepakati pemusasa,
  5897. Jos 3:3 ndokuraira vanhu vachiti: Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, nevapristi vaRevhi vakaitakura, ipapo imwi muchabva panzvimbo yenyu ndokuitevera.
  5898. Jos 3:4 Asi pachava nenzvimbo pakati penyu nayo, makubhiti anenge zvuru zviviri nechiyero; musaswedera kwairi, kuti muzive nzira yamungaenda nayo; nokuti hamuna kupfuura nenzira iyi zuro namarimwezuro.
  5899. Jos 3:5 Zvino Joshua wakati kuvanhu: Zviitei vatsvene, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinoshamisa pakati penyu.
  5900. Jos 3:6 Joshua ndokutaura nevapristi achiti: Simudzai areka yesungano mugopfuura mberi kwevanhu. Zvino vakasimudza areka yesungano ndokufamba mberi kwevanhu.
  5901. Jos 3:7 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Nhasi ndichatanga kukukudza pameso aIsraeri wose kuti vazive kuti sezvandaiva naMozisi ndichava newe.
  5902. Jos 3:8 Zvino iwe ucharaira vapristi vanotakura areka yesungano uchiti: Kana masvika pamucheto wemvura yaJoridhani, muchamira muna Joridhani.
  5903. Jos 3:9 Zvino Joshua wakati kuvana vaIsraeri: Swederai pano, mugonzwa mashoko aJehovha Mwari wenyu.
  5904. Jos 3:10 Joshua ndokuti: Muchaziva neichi kuti Mwari mupenyu ari pakati penyu, uye kuti achadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani nevaHiti nevaHivhi nevaPerezi nevaGirigashi nevaAmori nevaJebhusi.
  5905. Jos 3:11 Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose inopfuura mberi kwenyu muna Joridhani.
  5906. Jos 3:12 Naizvozvo ikozvino zvitorerei varume gumi nevaviri kubva pamarudzi aIsraeri, murume parudzi rumwe nerumwe.
  5907. Jos 3:13 Zvino zvichaitika apo pasi petsoka dzevapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, padzinozorora mumvura yaJoridhani, mvura yaJoridhani ichagurwa, mvura inoburuka kubva kumusoro; uye ichamira ive murwi umwe.
  5908. Jos 3:14 Zvino zvakaitika vanhu vachibva pamatende avo kuyambuka Joridhani, vapristi vakatakura areka yesungano mberi kwevanhu.
  5909. Jos 3:15 Neapo avo vakatakura areka vakasvika paJoridhani, netsoka dzevapristi vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura (nokuti Joridhani rwunozara mhenderokedzo dzarwo dzose mazuva ose egoho),
  5910. Jos 3:16 kuti mvura yaiburuka kubva kumusoro yakamira ndokusimuka kuita murwi umwe, kure-kure neguta reAdhama riri kurutivi rweZaretani; neyaienda pasi kugungwa rebani, gungwa remunyu, yakapera kugurwa; vanhu ndokuyambuka pakatarisana neJeriko.
  5911. Jos 3:17 Zvino vapristi vakatakura areka yesungano yaJehovha vakamira pavhu rakaoma pakati paJoridhani vakasimba, Israeri wose ndokuyambuka pavhu rakaoma, kusvika rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridhani.
  5912. Jos 4:1 Zvino zvakaitika apo rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridhani, kuti Jehovha wakataura kuna Joshua achiti:
  5913. Jos 4:2 Uzvitorere varume gumi nevaviri kubva pavanhu, murume umwe chete kubva parudzi rumwe nerumwe;
  5914. Jos 4:3 ugovaraira uchiti: Zvitorerei kubva pano kubva pakati paJoridhani kubva panzvimbo iyo pamire tsoka dzevapristi dzakasimba mabwe gumi nemaviri, zvino muayambuse pamwe nemwi mugoaisa panzvimbo yekurara pamucharara usiku huno.
  5915. Jos 4:4 Zvino Joshua wakadana varume gumi nevaviri vaaiva agadzirira kubva pavana vaIsraeri, murume umwe chete kubva parudzi rumwe nerumwe.
  5916. Jos 4:5 Joshua ndokuti kwavari: Pfuurai pamberi peareka yaJehovha Mwari wenyu, mupinde pakati paJoridhani, mugozvinongera umwe neumwe ibwe rimwe aise pafudzi rake, zvichienderana neuwandu hwemarudzi evana vaIsraeri.
  5917. Jos 4:6 Kuti ichi chive chiratidzo pakati penyu, kana vana venyu vachibvunza mangwana vachiti: Mabwe awa chii kwamuri?
  5918. Jos 4:7 Zvino muchavaudza: Nokuti mvura yaJoridhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; payaiyambuka Joridhani, mvura yaJoridhani yakagurwa. Zvino mabwe awa achava chirangaridzo pavana vaIsraeri nekusingaperi.
  5919. Jos 4:8 Zvino vana vaIsraeri vakaita saizvozvo Joshua sezvaakavaraira; zvino vakanonga mabwe gumi nemaviri kubva pakati paJoridhani, Jehovha sezvaakataura kuna Joshua, zvichienderana neuwandu hwemarudzi evana vaIsraeri, ndokuatakura vakayambuka nawo kusvika kunzvimbo pavakarara, ndokuaisapo.
  5920. Jos 4:9 Zvino Joshua akamisa mabwe gumi nemaviri mukati maJoridhani, panzvimbo tsoka dzevapristi vaitakura areka yesungano padzaiva dzimire; uye achipo kusvika nhasi.
  5921. Jos 4:10 Uye vapristi vaiva vakatakura areka vakamira mukati maJoridhani kusvika chinhu chose chapera Jehovha chaaiva araira Joshua kuti achiudze vanhu, zvichienderana nezvose Mozisi zvaaiva araira Joshua. Vanhu ndokukurumidza ndokuyambuka.
  5922. Jos 4:11 Zvino zvakaitika vanhu vose vapedza kuyambuka, kuti areka yaJehovha yakayambuka, nevapristi pamberi pevanhu.
  5923. Jos 4:12 Nevana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakayambuka vakashonga zvombo pamberi pevana vaIsraeri, Mozisi sezvaakavaudza.
  5924. Jos 4:13 Vanenge zvuru makumi mana vakashongera zvombo hondo vakayambuka pamberi paJehovha kuenda kuhondo kumapani eJeriko.
  5925. Jos 4:14 Nezuva iro Jehovha raakakudza Joshua pameso paIsraeri wose; zvino vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose eupenyu hwake.
  5926. Jos 4:15 Zvino Jehovha wakataura kuna Joshua achiti:
  5927. Jos 4:16 Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro kuti vakwire kubuda muna Joridhani.
  5928. Jos 4:17 Naizvozvo Joshua wakaraira vapristi achiti: Kwirai mubude muna Joridhani.
  5929. Jos 4:18 Zvino zvakaitika vapristi vaiva vakatakura areka yesungano yaJehovha pavakakwira kubuda mukati maJoridhani, nepasi petsoka dzevapristi dzasimudzirwa pavhu rakaoma, mvura yaJoridhani ndokudzokera panzvimbo yayo, ikafamba sazuro namarimwezuro ichipfachukira kumhenderekedzo dzarwo dzose.
  5930. Jos 4:19 Zvino vanhu vakakwira kubuda muna Joridhani neregumi remwedzi wekutanga, ndokudzika matende muGirigari, pamuganhu wemabvazuva eJeriko.
  5931. Jos 4:20 Zvino mabwe awa gumi nemaviri avakanonga kubva muJoridhani, Joshua wakaamisa paGirigari.
  5932. Jos 4:21 Zvino wakataura kuvana vaIsraeri achiti: Kana vana venyu vachibvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti: Mabwe awa chii?
  5933. Jos 4:22 Zvino muchazivisa vana venyu muchiti: Israeri wakayambuka Joridhani urwu pavhu rakaoma.
  5934. Jos 4:23 Nokuti Jehovha Mwari wenyu wakapwisa mvura yaJoridhani kubva pamberi penyu, kusvika mayambuka, Jehovha Mwari wenyu sezvaakaita paGungwa Dzvuku, raakapwisa kubva pamberi pedu, kusvika tayambuka;
  5935. Jos 4:24 kuti marudzi ose enyika azive ruoko rwaJehovha kuti rwakasimba; kuti mutye Jehovha Mwari wenyu mazuva ose.
  5936. Jos 5:1 Zvino zvakaitika apo madzimambo ose evaAmori aiva mhiri kwaJoridhani kumavirazuva nemadzimambo ose evaKenani aiva pagungwa vakanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura dzaJoridhani kubva pamberi pevana vaIsraeri, kusvika tayambuka, kuti moyo yavo yakanyunguduka, vakasavazve nemweya mukati mavo, nekuda kwevana vaIsraeri.
  5937. Jos 5:2 Nenguva iyo Jehovha wakati kuna Joshua: Zviitire mapanga emabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsraeri rwechipiri.
  5938. Jos 5:3 Joshua ndokuzviitira mapanga emabwe anopinza, ndokudzingisa vana vaIsraeri pachikomo chezvikanda zvepamberi.
  5939. Jos 5:4 Zvino ichi ndicho chikonzero Joshua chaakavadzingisira: Vose vanhu vakabuda muEgipita, vanhurume, varume vose vehondo, vakafira murenje panzira shure kwekunge vabuda muEgipita.
  5940. Jos 5:5 Nokuti vanhu vose vaibuda vaidzingiswa; asi vanhu vose vakaberekerwa murenje panzira pashure pekunge vabuda muEgipita vaiva vasina kuvadzingisa.
  5941. Jos 5:6 Nokuti vana vaIsraeri vakafamba makore makumi mana murenje, kusvika rudzi rwose, varume vehondo vaiva vabuda Egipita vapedzwa, nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha wakapika kwavari kuti haangavataridzi nyika, Jehovha yaakapikira madzibaba avo kutipa iyo, nyika inoyerera mukaka neuchi.
  5942. Jos 5:7 Zvino vana vavo wakavamutsa panzvimbo yavo, ndivo Joshua vaakadzingisa; nokuti vaiva vasina kudzingiswa, nokuti vaiva vasina kuvadzingisa panzira.
  5943. Jos 5:8 Zvino zvakaitika vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara panzvimbo dzavo pamusasa kusvika vapora.
  5944. Jos 5:9 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Nhasi ndapetenura kubva kwamuri kuzvidza kweEgipita. Naizvozvo zita renzvimbo rakanzi Girigari kusvika nhasi.
  5945. Jos 5:10 Zvino vana vaIsraeri vakadzika matende muGirigari, ndokuchengetedza pasika pazuva regumi nechina remwedzi madekwani pamapani eJeriko.
  5946. Jos 5:11 Zvino vakadya zvezvibereko zvenyika chifume chepasika, zvingwa zvisina kuviriswa nehura dzakakangwa nezuva iroro.
  5947. Jos 5:12 Mana ndokuguma chifume chavakadya zvezvibereko zvenyika; zvino vana vaIsraeri havana kuvazve nemana, asi vakadya zvezvibereko zvenyika yeKenani negore iroro.
  5948. Jos 5:13 Zvino zvakaitika Joshua ari paJeriko, kuti wakasimudza meso ake ndokuona, zvino tarira, murume amire pakatarisana naye, munondo wake wakavhomorwa uri muruoko rwake; Joshua ndokuenda kwaari ndokuti kwaari: Uri wekwedu here kana uri wevavengi vedu?
  5949. Jos 5:14 Iye ndokuti: Kwete, asi ndiri mukuru wehondo yaJehovha; zvino ndauya. Joshua ndokuwira pasi nechiso chake, ndokunamata, ndokuti kwaari: Ishe wangu unotii kumuranda wake?
  5950. Jos 5:15 Mukuru wehondo yaJehovha ndokuti kuna Joshua: Sunungura shangu yako parutsoka rwako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene; Joshua ndokuita saizvozvo.
  5951. Jos 6:1 Zvino Jeriko raiva rapfigwa kwazvo nekuda kwevana vaIsraeri; hakuna waibuda uye hakuna waipinda.
  5952. Jos 6:2 Jehovha ndokuti kuna Joshua: Tarira, ndapa muruoko rwako Jeriko namambo waro nevakasimba veumhare.
  5953. Jos 6:3 Zvino muchakomba guta, varume vose vehondo, poteredzai guta kamwe. Muchaita saizvozvo mazuva matanhatu.
  5954. Jos 6:4 Zvino vapristi vanomwe vachatakura mberi kweareka hwamanda nomwe dzenyanga dzemakondohwe; uye nezuva rechinomwe muchapoteredza guta kanomwe; uye vapristi vachiridza hwamanda.
  5955. Jos 6:5 Zvino zvichaitika, pavakaridza runyanga rwegondohwe nguva refu, pamunonzwa kurira kwehwamanda, vanhu vose vachadanidzira nekudanidzira kukuru; zvino rusvingo rweguta rwuchakoromokera pasi, nevanhu vachakwira, umwe neumwe pakaruramana naye.
  5956. Jos 6:6 Zvino Joshua mwanakomana waNuni wakadana vapristi ndokuti kwavari: Simudzai areka yesungano, uye vapristi vanomwe vatakure hwamanda dzenyanga dzemakondohwe nomwe pamberi peareka yaJehovha.
  5957. Jos 6:7 Zvino wakati kuvanhu: Pfuurai, poteredzai guta; neakashonga zvombo ngaapfuure pamberi peareka yaJehovha.
  5958. Jos 6:8 Zvino zvakaitika apo Joshua ataura kuvanhu, kuti vapristi vanomwe vakatakura hwamanda dzenyanga dzemakondohwe nomwe vakapfuura pamberi paJehovha ndokuridza hwamanda; areka yesungano yaJehovha ndokuvatevera.
  5959. Jos 6:9 Zvino vakashonga zvombo vakafamba mberi kwevapristi vairidza hwamanda, neveshure vakatevera areka, ndokufamba vachiridza hwamanda.
  5960. Jos 6:10 Zvino Joshua wakaraira vanhu achiti: Musadanidzira, uye musanzwisa inzwi renyu, uye kusabuda shoko mumuromo menyu, kusvika pazuva rekuti kwangu kwauri: Danidzirai; ipapo muchadanidzira.
  5961. Jos 6:11 Naizvozvo achapoteredzesa areka yaJehovha guta, ichipoteredza kamwe; zvino vakauya kumusasa, ndokurara mumusasa.
  5962. Jos 6:12 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani, uye vapristi vakasimudza areka yaJehovha.
  5963. Jos 6:13 Nevapristi vanomwe vaiva vakatakura hwamanda dzenyanga dzemakondohwe nomwe mberi kweareka yaJehovha vakaenderera mberi vachifamba vachiridza hwamanda; nevakashonga zvombo vakafamba mberi kwavo; nevarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vakafamba vachingoridza hwamanda.
  5964. Jos 6:14 Nezuva rechipiri vakapoteredza guta kamwe ndokudzokera kumusasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.
  5965. Jos 6:15 Zvino zvakaitika nezuva rechinomwe kuti vakamuka mangwanani mambakwedza ndokupoteredza guta nenzira iyoyo kanomwe; nezuva iro koga vakapoteredza guta kanomwe.
  5966. Jos 6:16 Zvino zvakaitika panguva yechinomwe vapristi pavakaridza hwamanda, Joshua ndokuti kuvanhu: Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
  5967. Jos 6:17 Asi guta iro nechose chiri mariri zvichayereserwa Jehovha; koga Rakabhi chifeve achararama, iye nevose vari mumba naye, nokuti wakaviga nhume dzatakatuma.
  5968. Jos 6:18 Asi imwi zvirokwazvo zvichengetedzei pane zvakayereswa, zvimwe muzviite chakatukwa kana mukatora pazvakayereswa, muitise musasa waIsraeri chinhu chakatukwa, muutambudze.
  5969. Jos 6:19 Asi sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyematare, zvitsvene kuna Jehovha; zvichauya muchivigiro chefuma chaJehovha.
  5970. Jos 6:20 Zvino vanhu vakadanidzira, kukaridzwa hwamanda; zvino zvakaitika vanhu pavakanzwa kurira kwehwamanda, vanhu ndokudanidzira nekudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromokera pasi, vanhu ndokukwira muguta, umwe neumwe pakaruramana naye, ndokutapa guta.
  5971. Jos 6:21 Zvino vakaparadza chose zvose zvaiva muguta, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kubva kumudiki kusvika kumukuru, nekusvika kunzombe, nemakwai, nembongoro, nekwakapinza kwemunondo.
  5972. Jos 6:22 Zvino kuvarume vaviri vaiva vanoshora nyika, Joshua wakati: Pindai mumba memukadzi chifeve, mubudisemo mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.
  5973. Jos 6:23 Zvino majaya, vashori, vakapinda vakabudisa Rakabhi nababa vake namai vake nehanzvadzi dzake nezvose zvaaiva nazvo; vakabudisawo hama dzake dzose; ndokuvaisa kunze kwemusasa waIsraeri.
  5974. Jos 6:24 Zvino vakapisa guta nemoto, nezvose zvaiva mariri; koga sirivha negoridhe nemidziyo yendarira neyematare vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.
  5975. Jos 6:25 Naizvozvo Rakabhi chifeve neveimba yababa vake nevose vaaiva navo, Joshua wakarega vari vapenyu; iye akagara pakati paIsraeri kusvika nhasi; nokuti wakaviga nhume Joshua dzaakatuma kunoshora Jeriko.
  5976. Jos 6:26 Zvino Joshua wakavapikisa panguva iyo achiti: Wakatukwa munhu pamberi paJehovha achasimuka akavaka iri guta reJeriko; achaisa nheyo dzaro padangwe rake, agomisa mikova yaro pagotwe rake.
  5977. Jos 6:27 Naizvozvo Jehovha wakava naJoshua; uye mukurumbira wake waiva panyika yose.
  5978. Jos 7:1 Asi vana vaIsraeri vakatadza chitadzo pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, werudzi rwaJudha, wakatora pachinhu chakayereswa. Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vana vaIsraeri.
  5979. Jos 7:2 Joshua ndokutuma varume vabve Jeriko vaende Ai riri pedo neBheti-Avheni, kumabvazuva kweBheteri, ndokutaura kwavari achiti: Kwirai, mugoshora nyika. Varume ndokukwira ndokushora Ai.
  5980. Jos 7:3 Zvino vakadzokera kuna Joshua, ndokuti kwaari: Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zvuru zviviri kana varume vanenge zvitatu ngavakwire vagonorova Ai; usanetesa vanhu vose kuendako, nokuti vashoma.
  5981. Jos 7:4 Zvino kwakakwirako pavanhu varume vanenge zvuru zvitatu; ndokutiza pamberi pevarume veAi.
  5982. Jos 7:5 Varume veAi ndokurova varume vanenge makumi matatu nevatanhatu vavo, ndokuvadzingirira pamberi pesuwo kusvika Shebharimi, ndokuvarova pakuburuka. Moyo yevanhu ndokunyauka, ndokuva semvura.
  5983. Jos 7:6 Zvino Joshua wakabvarura nguvo dzake, ndokuwira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvika madekwani, iye nevakuru vaIsraeri, ivo ndokuisa guruva pamusoro pemusoro wavo.
  5984. Jos 7:7 Joshua ndokuti: Haiwa! Ishe Jehovha, makayambusirei kwazvo vanhu ava Joridhani, kutikumikidza muruoko rwevaAmori kutiparadza? Dai takagutsikana ndokugara mhiri kwaJoridhani!
  5985. Jos 7:8 Haiwa Ishe, ndichatii, shure kwekunge Israeri afuratira pamberi pevavengi vake!
  5986. Jos 7:9 Nokuti vaKenani nevose vagere munyika vachanzwa, vagotikomba, ndokugura zita redu ribve panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?
  5987. Jos 7:10 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Simuka iwe; wawirei seizvi nechiso chako?
  5988. Jos 7:11 Israeri watadza, uye vadarikawo sungano yangu yandakavaraira, uye vatorawo pane chakayereswa, uye vabawo, uye vanyengerawo, uye vaisawo pakati penhumbi dzavo.
  5989. Jos 7:12 Naizvozvo vana vaIsraeri havana kugona kumira pamberi pevavengi vavo; vatendeusa mutsipa pamberi pevavengi vavo, nokuti vava chakatukwa; handichazovi nemwi kana musingaparadzi chakayereswa kubva pakati penyu.
  5990. Jos 7:13 Simuka, ita vanhu vave vatsvene, uti: Zviitii vatsvene kuitira mangwana, nokuti anoreva saizvozvo Jehovha Mwari waIsraeri: Pane chinhu chakayereswa pakati penyu, Israeri; haugoni kumira pamberi pevavengi vako kusvika wabvisa chinhu chakayereswa kubva pakati penyu.
  5991. Jos 7:14 Naizvozvo mangwanani muchaswededzwa nemarudzi enyu; uye zvichaitika kuti rudzi Jehovha rwaachabata rwuchaswedera zvichienderana nemhuri; nemhuri Jehovha yaachabata ichaswedera nedzimba; neimba Jehovha yaachabata ichaswedera murume umwe neumwe.
  5992. Jos 7:15 Zvino zvichaitika, uyo achabatwa ane chakayereswa achapiswa nemoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wadarika sungano yaJehovha, uye nokuti waita upenzi kwaIsraeri.
  5993. Jos 7:16 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani, ndokuswededza Israeri nemarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa;
  5994. Jos 7:17 zvino wakaswededza mhuri yaJudha, ndokubata mhuri yevaZera; zvino wakaswededza mhuri yevaZera, murume umwe neumwe, Zabhedhi ndokubatwa;
  5995. Jos 7:18 zvino wakaswededza imba yake, murume umwe neumwe, zvino Akani akabatwa, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, werudzi rwaJudha.
  5996. Jos 7:19 Zvino Joshua wakati kuna Akani: Mwana wangu, ipa hako kudzo Jehovha Mwari waIsraeri, reurura kwaari; ndiudze hako zvawakaita, usandivanzira.
  5997. Jos 7:20 Zvino Akani wakapindura Joshua ndokuti: Zvirokwazvo, ini ndakatadzira Jehovha Mwari waIsraeri, ndakaita seizvi uye seizvi.
  5998. Jos 7:21 Pandakaona pakati pezvakapambiwa nguvo imwe yeBhabhironi yakanaka, nemashekeri esirivha mazana maviri, nerurimi rwumwe rwegoridhe uremu hwaro hwaiva mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndokuzvitora; zvino tarirai, zvakavigwa muvhu mukati metende rangu, uye sirivha iri pasi pazvo.
  5999. Jos 7:22 Zvino Joshua wakatuma nhume, ivo ndokumhanyira mutende, zvino tarira, zvakavigwa mutende rake, nesirivha iri pasi pazvo.
  6000. Jos 7:23 Zvino vakazvitora kubva mukati metende, ndokuzviisa kuna Joshua nekuvana vaIsraeri vose, ndokuzvidururira pamberi paJehovha.
  6001. Jos 7:24 Zvino Joshua naIsraeri wose waiva naye vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nerurimi rwegoridhe, nevanakomana vake, nevanasikana vake, nenzombe dzake, nembongoro dzake, nemakwai ake, netende rake, nezvose zvaaiva anazvo, ndokuzvikwidza kumupata weAkori.
  6002. Jos 7:25 Zvino Joshua wakati: Wakatitambudzirei? Jehovha achakutambudza nhasi. Zvino Israeri wose wakamutaka nemabwe, ndokuvapisa nemoto, ndokuvataka nemabwe.
  6003. Jos 7:26 Zvino vakamisa pamusoro pake murwi mukuru wemabwe kusvika nhasi. Naizvozvo Jehovha wakadzoka pakupfuta kwehasha dzake. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi, Mupata weAkori, kusvika nhasi.
  6004. Jos 8:1 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Usatya, kana kuvhunduswa; tora pamwe newe vanhu vose vehondo, zvino simukai mukwire kuAi; ona, ndapa muruoko rwako mambo weAi nevanhu vake neguta rake nenyika yake.
  6005. Jos 8:2 Zvino uchaitira Ai namambo waro sezvawakaitira Jeriko namambo waro; koga zvitapwa zvaro nemombe dzaro muchazvitorera kuva zvakajimbwa; uzviisire vavandiri muguta shure kwaro.
  6006. Jos 8:3 Naizvozvo Joshua wakasimuka nevanhu vose vehondo kuti vakwire kuAi. Joshua ndokusarudza varume zvuru makumi matatu vakasimba veumhare, ndokuvatuma usiku.
  6007. Jos 8:4 Zvino wakavaraira achiti: Tarirai, muchavandira guta shure kweguta; musaenda kuresa neguta, asi gadzirirai mose.
  6008. Jos 8:5 Zvino ini nevanhu vose vaneni tichaswedera kuguta. Zvino zvichaitika pavachatibudira sepakutanga kuti tichatiza pamberi pavo.
  6009. Jos 8:6 Zvino vachabuda shure kwedu kusvika tavakweva vabve muguta; nokuti vachati: Vanotiza pamberi pedu sepakutanga. Naizvozvo tichatiza pamberi pavo.
  6010. Jos 8:7 Zvino imwi muchasimuka kubva pakuvandira ndokutapa guta; nokuti Jehovha Mwari wenyu acharipa muruoko rwenyu.
  6011. Jos 8:8 Zvino kuchati kana matapa guta, muchapisa guta nemoto; muchaita zvichienderana neshoko raJehovha. Onai ndakurairai.
  6012. Jos 8:9 Zvino Joshua wakavatuma, ivo ndokuenda pakuvandira, ndokugara pakati peBheteri neAi, kumavirazuva eAi; asi Joshua wakarara pakati pevanhu usiku uhwo.
  6013. Jos 8:10 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani, ndokuverenga vanhu, ndokukwira iye nevakuru vaIsraeri, pamberi pevanhu, kuAi.
  6014. Jos 8:11 Nevanhu vose vehondo vaaiva anavo vakakwira ndokuswedera vakauya pamberi peguta, ndokudzika matende kumaodzanyemba eAi. Zvino kwaiva nemupata pakati pavo neAi.
  6015. Jos 8:12 Zvino wakatora varume vanenge zvuru zvishanu ndokuvavandirisa pakati peBheteri neAi kumavirazuva eguta.
  6016. Jos 8:13 Vakati vamisa vanhu, hondo yose yaiva kumaodzanyemba eguta, nevavandiri vavo vemavirazuva eguta, Joshua akaenda neusiku uhwo pakati pemupata.
  6017. Jos 8:14 Zvino zvakaitika mambo weAi paakazviona, kuti vakakurumidza ndokumuka mangwanani, uye varume veguta vakabudira Israeri kuhondo, iye nevanhu vake vose, nenguva yakatarwa, pamberi pebani; asi iye haana kuziva kuti kune vavandiri kwaari seri kweguta.
  6018. Jos 8:15 Zvino Joshua naIsraeri wose vakarohwa pamberi pavo, ndokutiza nenzira yerenje.
  6019. Jos 8:16 Zvino vanhu vose vaiva muguta vakaunganidzwa kuvadzingirira; zvino vakadzingirira Joshua, ndokukweverwa kubva muguta.
  6020. Jos 8:17 Zvino hakuna kuva nemunhu wakasara muAi kana Bheteri asina kubuda kutevera Israeri. Zvino vakasiya guta rakashama, ndokudzingirira Israeri.
  6021. Jos 8:18 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Tandavadza pfumo riri muruoko rwako kuAi, nokuti ndaripa muruoko rwako. Joshua ndokutandavadza pfumo raiva muruoko rwake kuguta.
  6022. Jos 8:19 Zvino vavandiri vakasimuka nekukurumidza kubva panzvimbo yavo, ndokumhanya paakangotandavadza ruoko rwake, ndokupinda muguta, ndokuritapa; ndokukurumidza ndokupisa guta nemoto.
  6023. Jos 8:20 Varume veAi vakati vachicheuka, vaona, zvino tarira, utsi hweguta huchikwira kumatenga; zvino vaiva vasina nzvimbo yekutizira kuno kana uko; nevanhu vaiva vatizira kurenje vakatendeukira mudzingiriri.
  6024. Jos 8:21 Joshua naIsraeri wose vakati vaona kuti vavandiri vatapa guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira, vakadzoka ndokurova varume veAi.
  6025. Jos 8:22 Neava vakabuda muguta kuzomirisana navo kusvika vava pakati paIsraeri, vamwe kurutivi runo uye vamwe kune urwo; zvino vakavarova, kusvika kusina kusara munhu kwavari, wakasara kana wakapukunyuka.
  6026. Jos 8:23 Zvino mambo weAi vakamutora ari mupenyu, ndokumuuisa kuna Joshua.
  6027. Jos 8:24 Zvino zvakaitika Israeri apedza kuuraya vagari vose veAi musango, murenje mavaivadzingirira, uye vose vawira pamuromo wemunondo, kusvika vapedzwa, Israeri wose akadzokera kuAi, ndokurirova nemuromo wemunondo.
  6028. Jos 8:25 Zvino zvakaitika kuti vose vakawa nezuva iro pavarume nepavakadzi vaiva zvuru gumi nezviviri, varume vose veAi.
  6029. Jos 8:26 Nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakatandavadza narwo pfumo, kusvika aparadza chose vagari vose veAi.
  6030. Jos 8:27 Koga mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsraeri vakazvitapira, zvichienderana neshoko raJehovha raakaraira Joshua.
  6031. Jos 8:28 Zvino Joshua wakapisa Ai, akariita murwi nekusingaperi, dongo kusvika nhasi.
  6032. Jos 8:29 Zvino mambo weAi wakamuremberedza pamuti kusvika nguva yemadekwani; nepakuvira kwezuva Joshua wakaraira kuti vaburuse mutumbi wake kubva pamuti; vagoukandira pamukova wesuwo reguta, ndokumisa pamusoro pawo murwi mukuru wemabwe, uripo kusvika nhasi.
  6033. Jos 8:30 Panguva iyoyo Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsraeri aritari pagomo reEbhari,
  6034. Jos 8:31 Mozisi muranda waJehovha sezvaakaraira vana vaIsraeri, sezvazvakanyorwa mubhuku remurairo waMozisi: Aritari yemabwe akakwana, pasina kumboshandiswa dare pamusoro pawo. Zvino vakapa pamusoro payo kuna Jehovha zvipo zvinopiswa, vakabaya zvipo zvekuyananisa.
  6035. Jos 8:32 Zvino wakanyorapo pamabwe dzokororo yemurairo waMozisi waakanyora pamberi pevana vaIsraeri.
  6036. Jos 8:33 Zvino Israeri wose nevakuru vavo nevatariri nevatongi vavo vakamira kuno neuko kweareka pamberi pevapristi vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, mutorwa sewakaberekerwa munyika; hafu yavo yakatarisana negomo reGerizimi, nehafu yavo yakatarisana negomo reEbhari; Mozisi sezvaakaraira muranda waJehovha, kuropafadza vana vaIsraeri pekutanga.
  6037. Jos 8:34 Zvino pashure wakaverenga mashoko ose emurairo, ropafadzo nechakatukwa, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku remurairo.
  6038. Jos 8:35 Kwaiva kusina shoko pazvose Mozisi zvaakaraira, Joshua raasina kuverenga pamberi peungano yose yaIsraeri, nevakadzi, nevanana, nevatorwa vaifamba pakati pavo.
  6039. Jos 9:1 Zvino zvakaitika madzimambo ose aiva mhiri kwaJoridhani, pazvikomo, nepamapani, nepamahombekombe ose egungwa guru, pakatarisana neRebhanoni, muHiti, nemuAmori, muKenani, muPerezi, muHivhi, nemuJebhusi, vakati vachinzwa [izvozvo],
  6040. Jos 9:2 vakazviunganidza pamwe kunorwa naJoshua uye naIsraeri neshoko rimwe.
  6041. Jos 9:3 Vagari veGibhiyoni vakati vanzwa Joshua zvaakaitira Jeriko nekuAi,
  6042. Jos 9:4 ivowo vakabata neunyengeri, ndokuenda ndokuzviita senhume, ndokutakudza mbongoro dzavo masaga akasakara nehombodo dzewaini dzakasakara uye dzakabvaruka uye dzakasungwa-sungwa;
  6043. Jos 9:5 nemanyatera akasakara aiva nezvigamba patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara vakadzipfeka; uye zvingwa zvose zvembuva yavo zvaiva zvakaoma nekufufunyuka.
  6044. Jos 9:6 Zvino vakaenda kuna Joshua kumusasa paGirigari, ndokuti kwaari nekuvarume vaIsraeri: Tabva kunyika iri kure; zvino ikozvino itai sungano nesu.
  6045. Jos 9:7 Zvino varume vaIsraeri vakati kuvaHivhi: Zvimwe mugere pakati pedu; zvino tingaita sungano nemwi sei?
  6046. Jos 9:8 Ivo ndokuti kuna Joshua: Tiri varanda venyu. Joshua ndokuti kwavari: Muri vana ani? Uye munobvepi?
  6047. Jos 9:9 Zvino vakati kwaari: Varanda venyu vanobva kunyika iri kure-kure, nekuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita muEgipita.
  6048. Jos 9:10 Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri evaAmori aiva mhiri kwaJoridhani, Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, waiva ari paAshitaroti.
  6049. Jos 9:11 Zvino vakuru vedu nevagari vose venyika yedu vakataura kwatiri vachiti: Torai mbuva yenzira muruoko rwenyu mugoenda mundosangana navo, zvino muti kwavari: Tiri varanda venyu; zvino ikozvino itai sungano nesu.
  6050. Jos 9:12 Chingwa chedu ichi takatora chichipisa iri mbuva yedu kubva padzimba dzedu nezuva ratakabuda tichiuya kwamuri; asi ikozvino tarirai, chaoma, uye chafufunyuka.
  6051. Jos 9:13 Nehombodo idzi dzewaini dzatakazadza dzaiva itsva; zvino tarirai, dzabvaruka; nenguvo dzedu idzi nemanyatera edu zvasakara nekuda kwerwendo rurefu-refu.
  6052. Jos 9:14 Zvino varume vakatora zvembuva yavo vakasabvunzawo muromo waJehovha.
  6053. Jos 9:15 Joshua ndokuita rugare navo, ndokuita sungano navo, kuvarega vari vapenyu; machinda eungano ndokupika kwavari.
  6054. Jos 9:16 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva matatu pashure pekunge vaita sungano navo, kuti vakanzwa kuti vavakidzani navo uye vagere pakati pavo.
  6055. Jos 9:17 Vana vaIsraeri ndokufamba ndokusvika kumaguta avo nezuva retatu. Zvino maguta avo aiva Gibhiyoni neKefira neBheeroti neKiriati-Jearimi.
  6056. Jos 9:18 Zvino vana vaIsraeri havana kuvarova, nokuti machinda eungano aiva apika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri. Zvino ungano yose ikan’un’unira machinda.
  6057. Jos 9:19 Asi machinda ose akati kuungano yose: Isu takapika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri; naizvozvo ikozvino hatigoni kuvabata.
  6058. Jos 9:20 Tichavaitira ichi: Tichavaregawo vari vapenyu, kuti kusava nehasha pamusoro pedu nekuda kwemhiko yatakapika kwavari.
  6059. Jos 9:21 Zvino machinda akati kwavari: Ngavararame, asi ngavave vatemi vehuni nevateki vemvura veungano yose, machinda sezvaakataura kwavari.
  6060. Jos 9:22 Zvino Joshua wakavadana ndokutaura kwavari achiti: Matinyengedzererei muchiti: Tabva kure-kure nemwi, izvo mugere pakati pedu?
  6061. Jos 9:23 Naizvozvo makatukwa, uye pakati penyu hapangagurwi varanda nevatemi vehuni nevateki vemvura veimba yaMwari wangu.
  6062. Jos 9:24 Zvino vakapindura Joshua ndokuti: Nokuti kwakaudzwa kwazvo varanda venyu kuti Jehovha Mwari wenyu wakaraira sei Mozisi muranda wake kukupai nyika yose, nekuparadza vagari vose venyika kubva pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo neupenyu hwedu nekuda kwenyu, ndokuita chinhu ichi.
  6063. Jos 9:25 Zvino ikozvino tarirai, tiri muruoko rwenyu, itai sezvakanaka uye sezvakarurama pameso enyu kuita kwatiri.
  6064. Jos 9:26 Zvino wakavaitira saizvozvo, ndokuvanunura kubva muruoko rwevana vaIsraeri kuti vasavauraya.
  6065. Jos 9:27 Zvino Joshua wakavaita zuva iroro vatemi vehuni nevateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha kusvika nhasi panzvimbo yaaizosarudza.
  6066. Jos 10:1 Zvino zvakaitika apo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema anzwa kuti Joshua watapa Ai, ndokuriparadza chose, sezvaakaitira Jeriko namambo waro, wakaitira saizvozvo Ai namambo waro, uye kuti vagari veGibhiyoni vakaita rugare naIsraeri, waiva pakati pavo,
  6067. Jos 10:2 vakatya kwazvo, nokuti Gibhiyoni raiva guta guru, serimwe remaguta amambo; uye nokuti raiva guru kupfuura Ai, nevarume varo vose vaiva nesimba.
  6068. Jos 10:3 Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema wakatuma nhume kuna Hohami mambo weHebhuroni, nekuna Pirami mambo weJarimuti, nekuna Jafia mambo weRakishi, nekuna Dhebhiri mambo weEgironi, achiti:
  6069. Jos 10:4 Kwirai kwandiri mugondibatsira, kuti tirove Gibhiyoni, nokuti rakaita rugare naJoshua uye nevana vaIsraeri.
  6070. Jos 10:5 Naizvozvo akaungana ndokukwira madzimambo mashanu evaAmori: Mambo weJerusarema, mambo weHebhuroni, mambo weJarimuti, mambo weRakishi, mambo weEgironi, iwo nehondo dzawo dzose, ndokuvaka musasa pamberi peGibhiyoni, ndokurwa naro.
  6071. Jos 10:6 Zvino varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa paGirigari, vachiti: Ruoko rwenyu rwusanetera varanda venyu; kwirai kwatiri nekukurumidza, mutiponese, uye mutibatsire, nokuti madzimambo ose evaAmori agere munyika yezvikomo akatiunganira.
  6072. Jos 10:7 Zvino Joshua wakakwira kubva kuGirigari, iye nevanhu vose vehondo vanaye, nevose vakasimba veumhare.
  6073. Jos 10:8 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Usavatya, nokuti ndavapa muruoko rwako; hakuna munhu kwavari achamira pamberi pako.
  6074. Jos 10:9 Zvino Joshua wakavapindira pakarepo; akakwira usiku hwose achibva kuGirigari.
  6075. Jos 10:10 Zvino Jehovha akavavhiringidza pamberi paIsraeri, ndokuvauraya nekuuraya kukuru paGibhiyoni, ndokuvadzingirira nenzira inokwira Bheti-Horoni, ndokuvarova kusvika Azeka, uye kusvika Makedha.
  6076. Jos 10:11 Zvino zvakaitika pavaitiza kubva pamberi paIsraeri, vari pamutenusirwa weBheti-Horoni, kuti Jehovha wakapotsera pamusoro pavo mabwe makuru kubva kumatenga kusvika paAzeka, zvino vakafa; vakawanda vakafa nechimvuramabwe kupfuura vana vaIsraeri vavakauraya nemunondo.
  6077. Jos 10:12 Ipapo Joshua wakataura kuna Jehovha pazuva Jehovha raakapa vaAmori pamberi pevana vaIsraeri, ndokuti pamberi pemeso aIsraeri: Zuva, mira paGibhiyoni, newe mwedzi, pamupata weAjaroni.
  6078. Jos 10:13 Zuva ndokumira kudaro, mwedzi ndokumira, kusvika rudzi rwazvitsivira vavengi varwo. Hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Naizvozvo zuva rakamira pakati pechadenga, uye harina kukurumidza kuvira rinenge zuva rose.
  6079. Jos 10:14 Uye hakuna kuva nezuva rakadaro mberi kwaro kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera kuinzwi remunhu; nokuti Jehovha wakarwira Israeri.
  6080. Jos 10:15 Zvino Joshua wakadzokera kumusasa paGirigari naIsraeri wose pamwe naye.
  6081. Jos 10:16 Asi madzimambo awa mashanu akatiza, ndokuzvivanza mubako paMakedha.
  6082. Jos 10:17 Ndokutaurwa kuna Joshua kunzi: Madzimambo mashanu akawanikwa akavanda mubako paMakedha.
  6083. Jos 10:18 Zvino Joshua wakati: Kungurusirai mabwe makuru kumuromo webako, mugomisa varume pariri kuvarinda.
  6084. Jos 10:19 Asi imwi musamira; dzingirirai shure vavengi venyu munovarova shure kwavo; musavarega vapinde mumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu wakavapa muruoko rwenyu.
  6085. Jos 10:20 Zvino zvakaitika apo Joshua nevana vaIsraeri vapedza kuvauraya nekuuraya kukuru kwazvo kusvika vapedzwa, kuti vasiiwa vakasara vavo vakapinda mumaguta akashoshewa;
  6086. Jos 10:21 vanhu vose ndokudzokera kumusasa kuna Joshua paMakedha murugare; hakuna wakazungunusira rurimi rwake kune umwe wevana vaIsraeri.
  6087. Jos 10:22 Zvino Joshua wakati: Zarurai muromo webako, mugobudisira kwandiri madzimambo awa mashanu kubva mubako.
  6088. Jos 10:23 Ivo ndokuita saizvozvo, ndokubudisira kwaari madzimambo awa mashanu kubva mubako: Mambo weJerusarema, mambo weHebhuroni, mambo weJarimuti, mambo weRakishi, namambo weEgironi.
  6089. Jos 10:24 Zvino zvakaitika vabudisira madzimambo awa kuna Joshua, kuti Joshua wakadana varume vose vaIsraeri ndokuti kuvakuru vevarume vehondo vaifamba naye: Swederai, isai tsoka dzenyu pamitsipa yemadzimambo awa. Ivo ndokuswedera, ndokuisa tsoka dzavo pamitsipa yawo.
  6090. Jos 10:25 Zvino Joshua wakati kwavari: Musatya, uye musavhunduswa; simbai mutsunge, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo kuvavengi venyu vose vamunorwa navo.
  6091. Jos 10:26 Pashure Joshua wakavarova, ndokuvauraya, ndokuvaremberedza pamiti mishanu; uye vaiva vakaremberera pamiti kusvika madekwani.
  6092. Jos 10:27 Zvino zvakaitika panguva yekuvira kwezuva, kuti Joshua wakaraira, ivo ndokuvaburusa kubva pamiti, ndokuvakandira mubako mavaiva vakavanda, ndokuisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvika zuva rino ranhasi.
  6093. Jos 10:28 Zvino Joshua wakatapa Makedha nezuva iro, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo; namambo waro wakavaparadza chose, ivo nemweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa; ndokuita kuna mambo weMakedha sezvaakaita kuna mambo weJeriko.
  6094. Jos 10:29 Zvino Joshua naIsraeri wose anaye vakapfuura kubva paMakedha kuenda Ribhina. Ndokurwa neRibhina.
  6095. Jos 10:30 Jehovha ndokuripawo namambo waro muruoko rwaIsraeri; iye ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, nemweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa mariri, asi wakaita kuna mambo waro sezvaakaita kuna mambo weJeriko.
  6096. Jos 10:31 Zvino Joshua naIsraeri wose anaye vakapfuura kubva Ribhina kuenda Rakishi, vakavaka musasa pakatarisana naro, ndokurirwisa.
  6097. Jos 10:32 Jehovha ndokupa Rakishi muruoko rwaIsraeri; iye wakaritora nezuva repiri, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, nemweya yeupenyu yose yaivamo, zvichienderana nezvose zvaakaitira Ribhina.
  6098. Jos 10:33 Ipapo Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kubatsira Rakishi; Joshua ndokumurova nevanhu vake, kusvika asina kumusiira musiiwa.
  6099. Jos 10:34 Zvino Joshua naIsraeri wose anaye vakapfuura kubva Rakishi kuenda kuEgironi; ndokuvaka musasa pakatarisana naro, ndokurirwisa.
  6100. Jos 10:35 Zvino vakaritapa zuva iroro, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo; nemweya yeupenyu yose yaivamo vakaiparadza chose zuva iroro, zvichienderana nezvose zvaakaitira Rakishi.
  6101. Jos 10:36 Zvino Joshua wakakwira kubva Egironi, naIsraeri wose anaye, kuenda kuHebhuroni, ndokurirwisa.
  6102. Jos 10:37 Zvino vakaritapa, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, namambo waro, nemaguta aro ose, nemweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa, zvichienderana nezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose nemweya yeupenyu yose yaivamo.
  6103. Jos 10:38 Zvino Joshua wakadzokera kuDhebhiri, naIsraeri wose anaye; ndokurirwisa.
  6104. Jos 10:39 Zvino wakaritapa, namambo waro, nemaguta aro ese; ndokuvarova nekwakapinza kwemunondo, ndokuparadza chose mweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa; sezvaakaitira Hebhuroni, saizvozvo wakaitira Dhebhiri namambo waro, sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
  6105. Jos 10:40 Saizvozvo Joshua wakarova nyika yose, zvikomo, nechamhembe, nemupata, nezvitubu, nemadzimambo adzo ose; haana kusiya musiiwa; asi wakaparadza chose zvose zvipenyu, Jehovha Mwari waIsraeri sezvaakaraira.
  6106. Jos 10:41 Joshua ndokuvarova kubva Kadheshi-Bharineya kusvikawo Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikawo Gibhiyoni.
  6107. Jos 10:42 Zvino madzimambo awa ose nenyika dzawo Joshua wakaatapa panguva imwe, nokuti Jehovha Mwari waIsraeri wakarwira Israeri.
  6108. Jos 10:43 Zvino Joshua wakadzokera naIsraeri wose anaye kumusasa paGirigari.
  6109. Jos 11:1 Zvino zvakaitika Jabhini mambo weHazori azvinzwa, kuti wakatuma [nhume] kuna Jobhabhu mambo weMadhoni, nekuna mambo weShimironi, nekuna mambo weAkishafi,
  6110. Jos 11:2 nekumadzimambo aiva kumaodzanyemba panyika yezvikomo, nekumapani echamhembe kweKineroti, nemumupata, nekumikwidza yepaDhori kumavirazuva,
  6111. Jos 11:3 nekumuKenani kumabvazuva nekumavirazuva, nemuAmori, nemuHiti, nemuPerezi, nemuJebhusi panyika yezvikomo, nemuHivhi waiva agere mujinga meHerimoni panyika yeMizipa.
  6112. Jos 11:4 Zvino vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzinavo, vanhu vazhinji, sejecha riri pamahombekombe egungwa pauwandu, nemabhiza nengoro zhinji-zhinji.
  6113. Jos 11:5 Madzimambo awa ose akati aungana, akauya akadzika matende pamwe chete pamvura dzepaMeromi, kuzorwisa Israeri.
  6114. Jos 11:6 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Usatya nekuda kwavo, nokuti mangwana nenguva inenge ino ndichavapa vose vaurawa pamberi paIsraeri; uchagura marunda emabhiza avo nekupisa ngoro dzavo nemoto.
  6115. Jos 11:7 Zvino Joshua wakauya pakarepo, nevanhu vose vehondo vanaye, kumirisana navo pamvura dzepaMeromi ndokuvawira.
  6116. Jos 11:8 Jehovha ndokuvapa muruoko rwaIsraeri, uyo wakavarova ndokuvadzingirira kusvika paSidhoni guru, uye kusvika paMisirefoti-Maimi, uye kusvika pamupata weMizipe nechekumabvazuva; ndokuvarova kusvika vasina kuvasiira musiiwa.
  6117. Jos 11:9 Joshua ndokuvaitira Jehovha sezvaakareva kwaari; wakagura marunda emabhiza avo, uye ngoro dzavo wakapisa nemoto.
  6118. Jos 11:10 Zvino Joshua wakadzoka nenguva iyo, ndokutapa Hazori, namambo waro wakamuuraya nemunondo; nokuti pakutanga Hazori waiva musoro weushe ihwo hwose.
  6119. Jos 11:11 Zvino vakarova mweya yeupenyu yose yaivamo nekwakapinza kwemunondo, vakavaparadza chose; hakuna kusara chimwe chinofema; zvino wakapisa Hazori nemoto.
  6120. Jos 11:12 Zvino maguta ose emadzimambo awa nemadzimambo ose awo Joshua wakatapa, ndokuarova nekwakapinza kwemunondo, wakavaparadza chose, Mozisi muranda waJehovha sezvaakaraira.
  6121. Jos 11:13 Koga maguta aiva amire pazvikomo zvawo Israeri haana kupisa rimwe rawo, kunze kweHazori chete, Joshua wakaripisa.
  6122. Jos 11:14 Zvino zvose zvakapambiwa zvemaguta awa, nemombe, vana vaIsraeri vakazvitorera kuva zvakajimbwa; asi munhu umwe neumwe vakarova nekwakapinza kwemunondo kusvika vavaparadza; havana kusiya chimwe chinofema.
  6123. Jos 11:15 Jehovha sezvaakaraira Mozisi muranda wake, Mozisi wakaraira Joshua saizvozvo; Joshua ndokuita saizvozvo; haana kusudurusa chinhu pane zvose Jehovha zvaakaraira Mozisi.
  6124. Jos 11:16 Saizvozvo Joshua wakatora nyika iyo yose, nyika yezvikomo, nenyika yose yekuchamhembe, nenyika yose yeGosheni, nemupata, nebani, nenyika yezvikomo yaIsraeri, nemupata wayo;
  6125. Jos 11:17 kubva pagomo reHaraki rinokwira kuSeiri kusvika paBhaari-Gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; ndokutapa madzimambo aro ose, ndokuarova ndokuauraya.
  6126. Jos 11:18 Joshua wakaita hondo nemadzimambo awa ose mazuva mazhinji.
  6127. Jos 11:19 Hakuna guta rakaita rugare nevana vaIsraeri, kunze kwevaHivhi vagari veGibhiyoni; vakaatora ose nehondo.
  6128. Jos 11:20 Nokuti zvaibva kuna Jehovha kuomesa moyo yavo, kuti vachingamidzane naIsraeri pahondo, kuti avaparadze chose, kuti vasava nenyasha; asi kuti avaparadze, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.
  6129. Jos 11:21 Zvino Joshua wakauya nenguva iyo ndokugura VaAnaki kubva panyika yezvikomo, kubva paHebhuroni, kubva paDhebhiri, kubva paAnabhi, nekubva panyika yose yezvikomo yaJudha, nekubva panyika yose yezvikomo yaIsraeri; Joshua akavaparadza pamwe nemaguta avo.
  6130. Jos 11:22 Hakuna kusiiwa VaAnaki panyika yevana vaIsraeri; koga paGaza, paGadhi, nepaAshidhodhi, vakasara.
  6131. Jos 11:23 Joshua ndokutora nyika yose zvichienderana nezvose Jehovha zvaakareva kuna Mozisi; Joshua ndokuipa kuva nhaka kuna Israeri, zvichienderana nekuparadzaniswa kwavo, nemarudzi avo. Nyika ndokuva nezororo kubva pahondo.
  6132. Jos 12:1 Zvino awa madzimambo enyika, vana vaIsraeri avakarova ndokugara nhaka yenyika yavo mhiri kwaJoridhani kunobuda nezuva, kubva pamupata weArinoni kusvika pagomo reHerimoni, nebani rose kumabvazuva:
  6133. Jos 12:2 Sihoni mambo wevaAmori, waigara paHeshibhoni, waitonga kubva paAroeri riri pamahombekombe erwizi Arinoni, uye pakati perwizi, nehafu yeGiriyadhi, kusvikawo kurwizi Jabhoki, mucheto wevana vaAmoni,
  6134. Jos 12:3 uye bani kusvika kugungwa reKineroti kumabvazuva, uye kusvika pagungwa rebani, gungwa remunyu kumabvazuva, nzira yeBheti-Jeshimoti, uye kubva kuchamhembe pazasi peAshidhodhi-Pisiga.
  6135. Jos 12:4 Nemuganhu waOgi mambo weBhashani, wevakasiiwa vevaRefaimu vaigara paAshitaroti nepaEdhirei,
  6136. Jos 12:5 wakatonga pagomo reHerimoni nepaSarika nepaBhashani rose, kusvika kumuganhu wevaGeshuri nevaMaakati, nehafu yeGiriyadhi, muganhu waSihoni, mambo weHeshibhoni.
  6137. Jos 12:6 Mozisi muranda waJehovha nevana vaIsraeri vakavarova. Mozisi muranda waJehovha ndokuipa VaRubheni, nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, kuti ive yavo.
  6138. Jos 12:7 Zvino awa madzimambo enyika Joshua nevana vaIsraeri yavakarova mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, kubva paBhaari-Gadhi mumupata weRebhanoni, kusvika pagomo reHaraki rinokwira kuSeiri; Joshua yaakapa kumarudzi aIsraeri kuva nhaka zvichienderana nekuparadzaniswa kwavo.
  6139. Jos 12:8 Panyika yezvikomo, nemumupata, nemumapani, nemuzvitubu, nemurenje, nekuchamhembe: VaHiti, vaAmori, nevaKenani, vaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi:
  6140. Jos 12:9 Mambo weJeriko, umwe; mambo weAi, padivi peBheteri, umwe;
  6141. Jos 12:10 mambo weJerusarema, umwe; mambo weHebhuroni, umwe;
  6142. Jos 12:11 mambo weJarimuti, umwe; mambo weRakishi, umwe;
  6143. Jos 12:12 mambo weEgironi, umwe; mambo weGezeri, umwe;
  6144. Jos 12:13 mambo weDhebhiri, umwe; mambo Gedheri, umwe;
  6145. Jos 12:14 mambo weHorima, umwe; mambo weAradhi, umwe;
  6146. Jos 12:15 mambo weRibhina, umwe; mambo weAdhuramu, umwe;
  6147. Jos 12:16 mambo weMakedha, umwe; mambo weBheteri, umwe;
  6148. Jos 12:17 mambo weTapua, umwe; mambo weHeferi, umwe;
  6149. Jos 12:18 mambo weAfeki, umwe; mambo weRasharoni, umwe;
  6150. Jos 12:19 mambo weMadhoni, umwe; mambo weHazori, umwe;
  6151. Jos 12:20 mambo weShimironi-Meroni, umwe; mambo weAkishafi, umwe;
  6152. Jos 12:21 mambo weTaanaki, umwe; mambo weMegidho, umwe;
  6153. Jos 12:22 mambo weKedheshi, umwe; mambo weJokineamu paKarimeri, umwe;
  6154. Jos 12:23 mambo weDhori pamuganhu weDhori, umwe; mambo weGoimi paGirigari, umwe;
  6155. Jos 12:24 mambo weTiriza, umwe. Madzimambo ose aiva makumi matatu neumwe.
  6156. Jos 13:1 Zvino Joshua waiva akwegura, ava nemakore mazhinji; Jehovha ndokuti kwaari: Iwe wakwegura, wava nemakore mazhinji, zvino kuchakasara nyika zhinji kwazvo kugarwa nhaka.
  6157. Jos 13:2 Iyi ndiyo nyika yasara: Miganhu yose yevaFirisitia, neGeshuri yose;
  6158. Jos 13:3 kubva paShihori iri pamberi peEgipita kusvika kumuganhu weEkironi kumaodzanyemba waiverengerwa kuvaKenani; madzishe mashanu evaFirisitia: WeGaza, neweAshidhodhi, weAshikeroni, weGiti, neweEkironi, nevaAvhimi,
  6159. Jos 13:4 kubva kuchamhembe, nyika yose yevaKenani, neMeara raiva revaSidhoni, kusvika paAfeki, kusvika kumuganhu wevaAmori;
  6160. Jos 13:5 nenyika yevaGebhiri, neRebhanoni rose kuenda kumabvazuva, kubva paBhaari-Gadhi pajinga pegomo reHemoni, kusvika pakupinda paHamati.
  6161. Jos 13:6 Vagari vose venyika yezvikomo, kubva paRebhanoni kusvika paMisirefoti-Maimi, vaSidhoni vose, ini ndichavadzinga kubva pamberi pevana vaIsraeri; koga igovere nemujenya kuIsraeri kuigara nhaka sezvandakakuraira.
  6162. Jos 13:7 Zvino ikozvino, govera nyika iyi kuva nhaka kumarudzi mapfumbamwe nehafu yerudzi rwaManase.
  6163. Jos 13:8 Pamwe navo VaRubheni nevaGadhi vakagamuchira nhaka yavo, Mozisi yaakavapa mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, Mozisi, muranda waJehovha sezvaakavapa.
  6164. Jos 13:9 Kubva paAroeri riri pamahombekombe erwizi rweArinoni, neguta raiva pakati perwizi, nebani rose reMedhebha kusvika paDhibhoni;
  6165. Jos 13:10 nemaguta ose aSihoni mambo wevaAmori waitonga paHeshibhoni, kusvika kumuganhu wevana vaAmoni;
  6166. Jos 13:11 neGiriyadhi, nemuganhu wevaGeshuri nevaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvika paSareka;
  6167. Jos 13:12 umambo hwose hwaOgi paBhashani, waitonga paAshitaroti nepaEdhirei. Ndiye wakasara pamusiiwa wevaRefaimu; Mozisi waiva avarovawo ndokuvadzinga panhaka.
  6168. Jos 13:13 Zvakadaro vana vaIsraeri havana kudzinga panhaka vaGeshuri nevaMaakati, asi Geshuri neMaakati vagere pakati paIsraeri kusvika nhasi.
  6169. Jos 13:14 Koga kurudzi rwevaRevhi haana kupa nhaka. Zvibairo zvemoto zvaJehovha Mwari waIsraeri ndiyo nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.
  6170. Jos 13:15 Zvino Mozisi wakapa mugove kurudzi rwevana vaRubheni nemarudzi avo.
  6171. Jos 13:16 Zvino muganhu wavo wakabva paAroeri riri pamahombekombe erwizi rweArinoni, neguta riri pakati perwizi, nebani rose paMedhebha,
  6172. Jos 13:17 Heshibhoni nemaguta aro ose ari pabani, Dhibhoni, neBhamoti-Bhaari, neBheti-Bhaari-Meoni,
  6173. Jos 13:18 neJahazi, neKedhemoti, neMefahati,
  6174. Jos 13:19 neKiriataimi, neSibhima, neZereti-Shahari mugomo remupata,
  6175. Jos 13:20 neBheti-Peori, neAshidhodhi-Pisiga, neBheti-Jeshimoti,
  6176. Jos 13:21 nemaguta ose ebani, neumambo hwose hwaSihoni mambo wevaAmori, waitonga paHeshibhoni, Mozisi waaiva arova pamwe nevakuru veMidhiani, Evhi, naRekemi, naZuri, naHuri, naRebha, machinda aSihoni, vagari venyika.
  6177. Jos 13:22 NaBharamu mwanakomana waBheori muvuki, vana vaIsraeri vakamuuraya nemunondo pakati pevakaurawa navo.
  6178. Jos 13:23 Nemuganhu wevana vaRubheni waiva Joridhani nemuganhu warwo. Iyi inhaka yevana vaRubheni nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.
  6179. Jos 13:24 Zvino Mozisi wakapa nhaka kurudzi rwaGadhi, kuvana vaGadhi nemhuri dzavo.
  6180. Jos 13:25 Zvino muganhu wavo waiva Jazeri nemaguta ose eGiriyadhi nehafu yenyika yevana vaAmoni, kusvika paAroeri riri pamberi peRabha;
  6181. Jos 13:26 uye kubva paHeshibhoni kusvika paRamati-Mizipe neBhetonimu, uye kubva paMahanayimu kusvika pamuganhu weDhebhiri;
  6182. Jos 13:27 nemumupata, Bheti-Harami, neBheti-Nimura, neSukoti, neZafoni, musarira weumambo hwaSihoni mambo weHeshibhoni, Joridhani nemuganhu warwo, kusvika pamagumisiro egungwa reKinereti, mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva.
  6183. Jos 13:28 Iyi inhaka yevana vaGadhi nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.
  6184. Jos 13:29 Zvino Mozisi wakapa nhaka kuhafu yerudzi rwaManase; uye yaiva yehafu yerudzi rwevana vaManase nemhuri dzavo.
  6185. Jos 13:30 Zvino muganhu wavo waibva paMahanayimu, Bhashani rose, umambo hwose hwaOgi mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;
  6186. Jos 13:31 nehafu yeGiriyadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta eumambo hwaOgi paBhashani, yaiva yevana vaMakiri mwanakomana waManase, yehafu yevana vaMakiri nemhuri dzavo.
  6187. Jos 13:32 Awa ndiwo Mozisi aakagovera nhaka pamapani aMoabhu mhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva.
  6188. Jos 13:33 Asi kurudzi rwaRevhi Mozisi haana kupa nhaka; Jehovha Mwari waIsraeri ndiye nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.
  6189. Jos 14:1 Zvino idzi [inzvimbo] vana vaIsraeri dzavakagara nhaka panyika yeKenani, Eriazari mupristi naJoshua mwanakomana waNuni nemisoro yemadzibaba yemarudzi evana vaIsraeri dzavakagovera
  6190. Jos 14:2 nemujenya wenhaka yavo; Jehovha sezvaakaraira neruoko rwaMozisi, pamarudzi mapfumbamwe nehafu yerudzi.
  6191. Jos 14:3 Nokuti Mozisi waiva apa nhaka marudzi maviri nehafu yerudzi mhiri kwaJoridhani; asi kuvaRevhi haana kupa nhaka pakati pawo.
  6192. Jos 14:4 Nokuti vana vaJosefa vaiva marudzi maviri: Manase naEfuremu. Zvino havana kupa vaRevhi mugove munyika, kunze kwemaguta ekugara, nemafuro awo ezvipfuwo zvavo neefuma yavo.
  6193. Jos 14:5 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, vana vaIsraeri vakaita saizvozvo, ndokukamura nyika.
  6194. Jos 14:6 Ipapo vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi ndokuti kwaari: Iwe unoziva shoko Jehovha raakataura kuna Mozisi munhu waMwari maererano neni uye maererano newe paKadheshi-Bharineya.
  6195. Jos 14:7 Ndaiva nemakore makumi mana Mozisi muranda waMwari paakandituma kubva paKadheshi-Bharineya kunoshora nyika. Ndikadzosa kwaari shoko sezvaiva mumoyo mangu.
  6196. Jos 14:8 Asi hama dzangu dzaiva dzakwira neni dzakanyungudusa moyo yevanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu zvakazara.
  6197. Jos 14:9 Zvino Mozisi wakapika nezuva iro achiti: Zvirokwazvo nyika tsoka yako yayakatsika ichava nhaka yako neyevana vako nekusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu zvakazara.
  6198. Jos 14:10 Zvino ikozvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu sezvaakareva, makore awa makumi mana nemashanu kubva Jehovha paakataura shoko iri kuna Mozisi, Israeri achafamba murenje. Zvino ikozvino, tarira, nhasi ndine makore makumi masere nemashanu.
  6199. Jos 14:11 Nhasi ndichakasimba sepazuva Mozisi raakandituma; sesimba rangu nenguva iyo, rakadaro simba rangu ikozvino, rehondo, nerekubuda, nerekupinda.
  6200. Jos 14:12 Naizvozvo zvino, ndipe nyika iyi yezvikomo, Jehovha yaakareva nezuva iro, nokuti iwe wakanzwa nezuva iro kuti VaAnaki vaiva varipo nemaguta makuru akashoshewa; zvimwe Jehovha achava neni, ipapo ndichavadzingira kunze, Jehovha sezvaakareva.
  6201. Jos 14:13 Zvino Joshua wakamuropafadza ndokupa kuna Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni kuva nhaka.
  6202. Jos 14:14 Naizvozvo Hebhuroni rakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvika nhasi; nokuti waiva achitevera Jehovha Mwari waIsraeri zvakazara.
  6203. Jos 14:15 Zvino zita reHebhuroni pakutanga raiva Kiriyati-Aribha; iye waiva munhu mukuru pakati pevaAnaki. Nyika ndokuzorora pahondo.
  6204. Jos 15:1 Zvino mujenya werudzi rwevana vaJudha nemhuri dzavo waiva pamuganhu waEdhomu, renje reZini nechekuchamhembe kumacheto kwechamhembe.
  6205. Jos 15:2 Uye muganhu wavo wekuchamhembe waiva kubva pamacheto egungwa remunyu, kubva panopinda gungwa munyika pakatarisa nechekuchamhembe;
  6206. Jos 15:3 ndokubudira kuchamhembe kumukwidza weAkirabhimi, ndokupfuurira kuZini, ndokukwira kubva kuchamhembe kuenda kuKadheshi-Bharineya, ndokupfuurira kuHezironi, ndokukwira kuAdhari, ndokudzokera paKarika;
  6207. Jos 15:4 ndokupfuurira kuAzimoni, ndokubudira kurwizi rweEgipita; nekubuda kwemuganhu kwaiva pagungwa. Uyu uchava muganhu wenyu wekuchamhembe.
  6208. Jos 15:5 Zvino muganhu wekumabvazuva waiva gungwa remunyu kusvika kumacheto aJoridhani. Nemuganhu parutivi rwemaodzanyemba waiva kubva panopinda gungwa munyika kubva pamacheto aJoridhani.
  6209. Jos 15:6 Zvino muganhu wakakwira kuBheti-Hogira, ndokupfuurira kumaodzanyemba kweBheti-Arabha; muganhu ndokukwira kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni.
  6210. Jos 15:7 Zvino muganhu wakakwira wakananga kuDhebhiri, kubva pamupata weAkori, uye nechekumaodzanyemba wakatarisa kuGirigari, riri pamberi pemukwidza weAdhumimi, riri kuchamhembe kwerwizi. Zvino muganhu wakapfuurira kusvika kumvura yeEni-Shemeshi; uye kubuda kwawo kwaiva kusvika paEni-Rogeri.
  6211. Jos 15:8 Zvino muganhu wakakwira nemupata wemwanakomana waHinomi kusvika kurutivi rwevaJebhusi kuchamhembe rwunova Jerusarema; muganhu ndokukwira kusvika pamusoro wegomo riri pamberi pemupata weHinomi nechekumavirazuva, uri pamacheto emupata wevaRefaimu nechekumaodzanyemba.
  6212. Jos 15:9 Zvino muganhu wakamonereka kubva pamusoro pegomo kusvika kuchitubu chemvura yeNefitoa, ndokubudira kumaguta egomo reEfuroni; muganhu ndokumonereka kusvika kuBhaara rinova Kiriati-Jearimi.
  6213. Jos 15:10 Muganhu ndokutenderera kubva paBhaara nechekumavirazuva kusvika pagomo reSeiri, ndokupfuurira kurutivi rwegomo reJearimi kubva kumaodzanyemba, rinova Kesaroni, ndokuburukira kuBheti-Shemeshi, ndokupfuurira kuTimuna.
  6214. Jos 15:11 Zvino muganhu wakabudira kurutivi rweEkironi nechekumaodzanyemba; muganhu ndokumonereka kusvika paShikeroni, ndokupfuurira kugomo reBhaara, ndokubudira Jabhuneeri; uye kubuda kwemuganhu kwaiva pagungwa.
  6215. Jos 15:12 Zvino muganhu wekumavirazuva waisvika kugungwa guru nemuganhu waro. Uyu muganhu wevana vaJudha kunhivi dzose nemhuri dzavo.
  6216. Jos 15:13 Zvino kuna Karebhu mwanakomana waJefune wakapa mugove pakati pevana vaJudha, zvichienderana nemurairo waJehovha kuna Joshua: Kiriyati-Aribha, baba vaAnaki, rinova Hebhuroni.
  6217. Jos 15:14 Karebhu ndokudzinga panhaka vanakomana vatatu vaAnaki kubvapo: Sheshai naAhimani naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki.
  6218. Jos 15:15 Zvino wakakwira kubvapo kuenda kuvagari veDhebhiri. Zvino zita reDhebhiri pakutanga raiva Kiriati-Seferi.
  6219. Jos 15:16 Karebhu ndokuti: Anorova Kiriati-Seferi ndokuritapa, ndichapa kwaari mukunda wangu Akisa ave mukadzi.
  6220. Jos 15:17 Zvino Otiniyeri mwanakomana waKenazi munin’ina waKarebhu wakaritapa; iye ndokumupa mukunda wake Akisa kuva mukadzi.
  6221. Jos 15:18 Zvino zvakaitika paaisvika, kuti wakamukurudzira kukumbira munda kuna baba vake; zvino wakaburuka pambongoro; Karebhu ndokuti kwaari: Chii chandingaita kwauri?
  6222. Jos 15:19 Iye ndokuti: Ndipei ropafadzo; sezvamakandipa nyika yekuchamhembe, ndipeiwo zvitubu zvemvura. Zvino wakamupa zvitubu zvekumusoro nezvitubu zvepazasi.
  6223. Jos 15:20 Iyi inhaka yerudzi rwevana vaJudha nemhuri dzavo.
  6224. Jos 15:21 Zvino maguta ekumacheto erudzi rwevana vaJudha kusvika kumuganhu waEdhomu nechekuchamhembe aiva Kabhezeeri, neEdheri, neJaguri,
  6225. Jos 15:22 neKina, neDhimona, neAdhadha,
  6226. Jos 15:23 neKedheshi, neHazori, neItinani,
  6227. Jos 15:24 Zifi, neTeremi, neBhearoti,
  6228. Jos 15:25 neHazori-Hadhata, neKerioti-Hezironi, rinova Hazori,
  6229. Jos 15:26 Amamu, neShema, neMoradha,
  6230. Jos 15:27 neHazari-Gadha, neHeshimoni, neBheti-Pereti,
  6231. Jos 15:28 neHazari-Shuari, neBheeri-Shebha, neBhiziotiya,
  6232. Jos 15:29 Bhaara, neIyimi, neEzemi,
  6233. Jos 15:30 neEritoradhi, neKesiri, neHorima,
  6234. Jos 15:31 neZikiragi, neMadhimana, neSanisana,
  6235. Jos 15:32 neRebhayoti, neShirihimi, neAini, neRimoni. Maguta ose aiva makumi maviri nemapfumbamwe, pamwe nemisha yawo.
  6236. Jos 15:33 Pamupata: Eshitaori, neZora, neAshina,
  6237. Jos 15:34 neZanowa, neEni-Ganimi, Tapuwa, neEnami,
  6238. Jos 15:35 Jarimuti, neAdhuramu, Soko, neAzeka,
  6239. Jos 15:36 neSharaimi, neAdhitaimu, neGedhera, neGedherotaimi: Maguta gumi nemana, pamwe nemisha yawo.
  6240. Jos 15:37 Zenani, neHadhasha, neMigadhari-Gadhi,
  6241. Jos 15:38 neDhireyani, neMizipe, neJokiteeri,
  6242. Jos 15:39 Rakishi, neBhozikati, neEgironi,
  6243. Jos 15:40 neKabhoni, neRahimasi, neKitirishi,
  6244. Jos 15:41 neGedheroti, Bheti-Dhagoni, neNaama, neMakedha: Maguta gumi nematanhatu, pamwe nemisha yawo.
  6245. Jos 15:42 Ribhina, neEteri, neAshani,
  6246. Jos 15:43 neJifita, neAshina, neNezibhi,
  6247. Jos 15:44 neKeira, neAkizibhi, neMaresha: Maguta mapfumbamwe, pamwe nemisha yawo.
  6248. Jos 15:45 Ekironi pamwe nemaguta aro nemisha yaro:
  6249. Jos 15:46 Kubva paEkironi kusvika pagungwa, ose aiva parutivi rweAshidhodhi, pamwe nemisha yawo.
  6250. Jos 15:47 Ashidhodhi pamwe nemaguta aro nemisha yaro. Gaza, maguta aro nemisha yaro, kusvika kurwizi rweEgipita, negungwa guru nemuganhu waro.
  6251. Jos 15:48 Nekunyika yezvikomo: Shamiri, neJatiri, neSoko,
  6252. Jos 15:49 neDhana, neKiriati-Sana, rinova Dhebhiri,
  6253. Jos 15:50 neAnabhi, neEshitemo, neAnimi,
  6254. Jos 15:51 neGosheni, neHoroni, neGiro: Maguta gumi nerimwe, pamwe nemisha yawo.
  6255. Jos 15:52 Arabhu, neDhuma, neEshani,
  6256. Jos 15:53 neJanimi, neBheti-Tapua, neAfeka,
  6257. Jos 15:54 neHumuta, neKiriyati-Aribha, rinova Hebhuroni, neZiori: Maguta mapfumbamwe, pamwe nemisha yawo.
  6258. Jos 15:55 Maoni, Karimeri, neZifi, neJuta,
  6259. Jos 15:56 neJezireeri, neJokidheami, neZanowa,
  6260. Jos 15:57 Kaini, Gibhiya, neTimuna: Maguta gumi, pamwe nemisha yawo.
  6261. Jos 15:58 Harihuri, Bheti-Zuri, neGedhori,
  6262. Jos 15:59 neMaarati, neBheti-Anoti, neEritekoni: Maguta matanhatu, pamwe nemisha yawo.
  6263. Jos 15:60 Kiriati-Bhaari, rinova Kiriati-Jearimi, neRabha: Maguta maviri, pamwe nemisha yawo.
  6264. Jos 15:61 Murenje: Bheti-Arabha, Midhini, neSekaka,
  6265. Jos 15:62 neNibhishani, neGuta reMunyu, neEni-Gedhi: Maguta matanhatu, pamwe nemisha yawo.
  6266. Jos 15:63 Asi vaJebhusi, vagari veJerusarema, vana vaJudha vaiva vasingagoni kuvadzingira kunze; naizvozvo vaJebhusi vakagara muJerusarema pamwe nevana vaJudha kusvika nhasi.
  6267. Jos 16:1 Zvino kwakabuda mujenya wevana vaJosefa kubva paJoridhani paJeriko kusvika pamvura yeJeriko kumabvazuva, [ku]renje uchikwira kubva paJeriko panyika yezvikomo yeBheteri;
  6268. Jos 16:2 ndokubuda kubva paBheteri kuenda kuRuzi, ndokupfuurira kumuganhu wevaArikiti kuAtaroti.
  6269. Jos 16:3 Zvino wakaburukira nechekumavirazuva kumuganhu wevaJafireti kuenda kumuganhu weBheti-Horoni pazasi, uye kusvika kuGezeri; uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa.
  6270. Jos 16:4 Zvino vanakomana vaJosefa, Manase naEfuremu vakagara nhaka.
  6271. Jos 16:5 Zvino muganhu wevana vaEfuremu zvichienderana nemhuri dzavo waiva wakadai: Iwo muganhu wenhaka yavo kumabvazuva waiva Ataroti-Adhari kusvika Bheti-Horoni kumusoro.
  6272. Jos 16:6 Zvino muganhu wakabudira kugungwa paMikimetati kubva kumaodzanyemba; muganhu ndokudzokera kumabvazuva paTanati-Shiro, ndokupfuura napo kumabvazuva kuenda kuJanowa;
  6273. Jos 16:7 zvino wakaburuka kubva paJanowa kuenda kuAtaroti nekuNahara, ndokugunzva Jeriko, ndokubudira paJoridhani.
  6274. Jos 16:8 Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva kurwizi Kana, uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa. Iyi inhaka yerudzi rwevana vaEfuremu zvichienderana nemhuri dzavo.
  6275. Jos 16:9 Uye maguta aiva akakamurirwa vana vaEfuremu aiva pakati penhaka yevana vaManase, maguta ose nemisha yawo.
  6276. Jos 16:10 Zvino havana kudzinga vaKenani vaigara paGezeri. Naizvozvo vaKenani vakagara pakati pevaEfuremu kusvika nhasi; asi vakava vabati vechibharo.
  6277. Jos 17:1 Kwakavawo nemujenya werudzi rwaManase, nokuti waiva dangwe raJosefa, [waiva] waMakiri dangwe raManase baba vaGiriyadhi, nokuti iye waiva munhu wehondo, naizvozvo wakava neGiriyadhi neBhashani.
  6278. Jos 17:2 Kwaivawo neyevakasara vevanakomana vaManase zvichienderana nemhuri dzavo, yevana vaAbhiezeri, neyevana vaHereki, neyevana vaAsirieri, neyevana vaShekemu, neyevana vaHeferi, neyevana vaShemidha. Ava vana vanhurume vaManase mwanakomana waJosefa zvichienderana nemhuri dzavo.
  6279. Jos 17:3 Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGiriyadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase waiva asina vanakomana, asi vanasikana. Zvino awa mazita evanasikana vake: Mahira, naNowa, Hogira, Mirika, naTiriza.
  6280. Jos 17:4 Zvino vakaswedera pamberi paEriazari mupristi nepamberi paJoshua mwanakomana waNuni nepamberi pemachinda vachiti: Jehovha wakaraira Mozisi kutipa nhaka pakati pehama dzedu. Zvino wakavapa zvichienderana nemurairo waJehovha nhaka pakati pehama dzababa vavo.
  6281. Jos 17:5 Naizvozvo kwakawira mijenya gumi kuna Manase, kunze kwenyika yeGiriyadhi neBhashani dziri mhiri kwaJoridhani.
  6282. Jos 17:6 Nokuti vanasikana vaManase vakagara nhaka pakati pevanakomana vake. Uye nyika yeGiriyadhi yaiva yevakasara vevanakomana vaManase.
  6283. Jos 17:7 Zvino muganhu waManase waiva kubva paAsheri kuenda kuMikimetati riri pamberi peShekemu; muganhu ndokuenderera kurudyi, kusvika kuvagari veEni-Tapua.
  6284. Jos 17:8 Nyika yeTapua yakava kuna Manase; asi Tapua pamuganhu waManase yakava kuvana vaEfuremu.
  6285. Jos 17:9 Zvino muganhu wakaburukira kurwizi Kana nechekuchamhembe kwerwizi. Maguta awa ndeaEfuremu pakati pemaguta aManase. Uye muganhu waManase waiva kumaodzanyemba kwerwizi; uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa.
  6286. Jos 17:10 Kuchamhembe yaiva yaEfuremu, uye kumaodzanyemba yaiva yaManase; uye gungwa waiva muganhu wake; uye kuna Asheri vaisangana kumaodzanyemba, nekuna Isasikari kumabvazuva.
  6287. Jos 17:11 Nokuti kuna Isasikari nekuna Asheri Manase waiva neBheti-Sheani nemisha yaro, neIbhireami nemisha yaro, nevagari veDhori nemisha yaro, nevagari veEndori nemisha yaro, nevagari veTaanaki nemisha yaro, nevagari veMegidho nemisha yaro: Nzvimbo nhatu dzezvikomo.
  6288. Jos 17:12 Asi vana vaManase vaiva vasingagoni kudzinga panhaka yemaguta iwawo; asi vaKenani vaida kugara panyika iyo.
  6289. Jos 17:13 Zvino zvakaitika vana vaIsraeri pavakava vane simba, kuti vakabatisa vaKenani chibharo, asi havana kuvadzinga zvachose.
  6290. Jos 17:14 Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua vachiti: Makatipirei mujenya umwe nemugove umwe kuva nhaka, zvandiri rudzi rukuru, Jehovha sezvaakandiropafadza kusvika pano?
  6291. Jos 17:15 Joshua ndokuti kwavari: Kana uri rudzi rukuru, zvikwirire kudondo, unozvitemerapo panyika yevaPerezi neyevaRefaimu, kana gomo reEfuremu rakamanikana kwauri.
  6292. Jos 17:16 Zvino vana vaJosefa vakati: Chikomo hachitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara munyika yemupata vane ngoro dzematare, nevari paBheti-Sheani nemisha yaro, nevari mumupata weJezireeri.
  6293. Jos 17:17 Zvino Joshua wakataura kune veimba yaJosefa, kuna Efuremu nekuna Manase achiti: Uri rudzi rukuru, uye une simba guru; haungavi nemujenya umwe chete;
  6294. Jos 17:18 asi gomo richava rako, nokuti idondo, ucharitema; uye kubuda kwaro kuve kwako; nokuti uchadzinga vaKenani kunyange vane ngoro dzematare, kunyange vane simba.
  6295. Jos 18:1 Zvino ungano yose yevana vaIsraeri yakaungana paShiro, ndokudzika tende rekusangana ipapo. Uye nyika yakaiswa pasi pamberi pavo.
  6296. Jos 18:2 Zvino kwaiva kwasara pakati pevana vaIsraeri marudzi manomwe aiva asina kugoverwa nhaka yawo.
  6297. Jos 18:3 Zvino Joshua wakati kuvana vaIsraeri: Muchazengurira kusvika rinhi kupinda kugara nhaka yenyika Jehovha Mwari wemadzibaba enyu yaakakupai?
  6298. Jos 18:4 Zvipei varume vatatu parudzi, ndigovatuma, zvino vasimuke vafambe vapfuure nemunyika, vagoinyora zvichienderana nenhaka yavo, vagouya kwandiri.
  6299. Jos 18:5 Zvino vachaiganhura kuva migove minomwe: Judha achagara pamuganhu wake kuchamhembe, uye veimba yaJosefa vachagara pamuganhu wavo kumaodzanyemba.
  6300. Jos 18:6 Nemwi muchanyora nyika muchiita migove minomwe, mugouisa pandiri pano, kuti ndikukandirei mujenya pano pamberi paJehovha Mwari wedu.
  6301. Jos 18:7 Nokuti vaRevhi havana mugove pakati penyu; nokuti upristi hwaJehovha inhaka yavo. Zvino Gadhi naRubheni nehafu yerudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, Mozisi muranda waJehovha yaakavapa.
  6302. Jos 18:8 Zvino varume vakasimuka vakaenda. Joshua ndokuraira vaiva vaenda kunonyora nyika achiti: Endai, mupfuure nemunyika, muinyore, mugodzoka kwandiri, kuti ndikukandirei mujenya pano pamberi paJehovha paShiro.
  6303. Jos 18:9 Zvino varume vakaenda, ndokupfuura nemunyika, ndokuinyora nemaguta kuita migove minomwe mubhuku, ndokuuya kuna Joshua pamusasa paShiro.
  6304. Jos 18:10 Zvino Joshua wakavakandira mujenya paShiro pamberi paJehovha; Joshua ndokugovera ipapo vana vaIsraeri nyika zvichienderana nezvikamu zvavo.
  6305. Jos 18:11 Zvino mujenya werudzi rwevana vaBhenjamini wakakwira zvichienderana nemhuri dzavo; muganhu wemujenya wavo ndokubuda pakati pevana vaJudha nevana vaJosefa.
  6306. Jos 18:12 Zvino muganhu wavo kurutivi rwekumaodzanyemba waiva kubva paJoridhani; muganhu ndokukwira kurutivi rweJeriko kumaodzanyemba, ndokukwira nemunyika yezvikomo nechekumavirazuva; nekubuda kwawo kwaiva parenje reBheti-Avheni.
  6307. Jos 18:13 Muganhu ndokupfuura kubvapo kuenda kuRuzi, kurutivi rweRuzi nechekuchamhembe, rinova Bheteri; muganhu ndokuburukira kuAtaroti-Adhari pedo negomo riri kuchamhembe kweBheti-Horoni zasi.
  6308. Jos 18:14 Muganhu ndokutevedza ndokumonereka kukona yegungwa nechekuchamhembe kubva pagomo riri pamberi peBheti-Horoni nechekuchamhembe; uye kubuda kwawo kwaiva paKiriati-Bhaari, rinova Kiriati-Jearimi, guta revana vaJudha; urwu rutivi rwemavirazuva.
  6309. Jos 18:15 Uye rutivi rwechamhembe rwunobva pamugumo weKiriati-Jearimi; muganhu ndokubudira kuenda kumavirazuva, ndokubudira kutsime remvura yeNefitoa.
  6310. Jos 18:16 Zvino muganhu wakaburukira kumugumo wegomo riri pamberi pemupata wemwanakomana waHinomi, uri mumupata wevaRefaimu kumaodzanyemba; ndokuburukira kumupata waHinomi kuenda kurutivi rwevaJebhusi nechekuchamhembe; ndokuburukira Eni-Rogeri;
  6311. Jos 18:17 ndokumonereka kubva kumaodzanyemba, ndokubudira kuEni-Shemeshi, ndokubudira kuGeriroti riri mberi nemukwidza weAdhumimi; ndokuburukira kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni;
  6312. Jos 18:18 ndokupfuurira kurutivi rwakatarisana neArabha, nechekumaodzanyemba, ndokuburukira kuArabha.
  6313. Jos 18:19 Zvino muganhu wakapfuurira kurutivi rweBheti-Hogira nechekumaodzanyemba; nekubuda kwemuganhu kwaiva panopinda gungwa munyika nechekumaodzanyemba kwegungwa remunyu, kumucheto wekuchamhembe waJoridhani; uyu muganhu wekuchamhembe.
  6314. Jos 18:20 Zvino Joridhani ndirwo rwaiva muganhu wayo kurutivi rwekumabvazuva. Iyi inhaka yevana vaBhenjamini, nemiganhu yayo kupoteredza, zvichienderana nemhuri dzavo.
  6315. Jos 18:21 Zvino maguta erudzi rwevana vaBhenjamini zvichienderana nemhuri dzavo aiva Jeriko neBheti-Hogira neEmeki-Kezizi,
  6316. Jos 18:22 neBheti-Arabha, neZemaraimi, neBheteri,
  6317. Jos 18:23 neAvhimi, nePara, neOfura,
  6318. Jos 18:24 neKefari-Amoni, neOfini, neGebha: Maguta gumi nemaviri nemisha yawo.
  6319. Jos 18:25 Gibhiyoni, neRama, neBheeroti,
  6320. Jos 18:26 neMizipe, neKefira, neMoza,
  6321. Jos 18:27 neRekemi, neIripeeri, neTarara,
  6322. Jos 18:28 neZera, Erefi, neJebhusi rinova Jerusarema, Gibhiyati, Kiriati: Maguta gumi nemana nemisha yawo. Iyi inhaka yevana vaBhenjamini zvichienderana nemhuri dzavo.
  6323. Jos 19:1 Zvino mujenya wechipiri wakabudira kuna Simioni, werudzi rwevana vaSimioni zvichienderana nemhuri dzavo. Zvino nhaka yavo yaiva pakati penhaka yevana vaJudha.
  6324. Jos 19:2 Panhaka yavo vaiva vane Bheeri-Shebha, neShebha, neMoradha,
  6325. Jos 19:3 neHazari-Shuari, neBhara, neEzemi,
  6326. Jos 19:4 neEritoradhi, neBheturi, neHorima,
  6327. Jos 19:5 neZikiragi, neBheti-Marikabhoti, neHazari-Susa,
  6328. Jos 19:6 neBheti-Rebhaoti, neSharuheni: Maguta gumi nematatu pamwe nemisha yawo.
  6329. Jos 19:7 Aini, Rimoni, neEteri, neAshani: Maguta mana pamwe nemisha yawo.
  6330. Jos 19:8 Nemisha yose yakapoteredza maguta awa kusvika paBhaarati-Bheeri, Rama rechamhembe. Iyi inhaka yerudzi rwevana vaSimioni zvichienderana nemhuri dzavo.
  6331. Jos 19:9 Nhaka yevana vaSimioni yakabva pamugove wevana vaJudha, nokuti mugove wevana vaJudha waiva mukurusa kwavari; naizvozvo vana vaSimioni vakagara nhaka pakati penhaka yavo.
  6332. Jos 19:10 Zvino mujenya wechitatu wakakwira kuvana vaZebhuruni zvichienderana nemhuri dzavo; uye muganhu wenhaka yavo wakasvika paSaridhi.
  6333. Jos 19:11 Zvino muganhu wavo wakakwira kumavirazuva neMarara, ndokutevedza paDhabhesheti, ndokutevedza parwizi rwuri pamberi peJokineamu;
  6334. Jos 19:12 ndokudzoka kubva paSaridhi nechekumabvazuva kwakananga kunobuda zuva, kusvika kumuganhu weKisiroti-Tabhori, ndokubuda kuenda kuDhabherati, ndokukwira kuJafia;
  6335. Jos 19:13 zvino kubva ipapo wakapfuura nechekumabvazuva kwakatarisa kunobuda zuva kuenda kuGati-Heferi paEti-Kazini, ndokubuda paRimoni-Metoari paNea.
  6336. Jos 19:14 Zvino muganhu wakaripoteredza kumaodzanyemba kuenda kuHanatoni; uye kubuda kwawo kwaiva pamupata weJifita-Eri.
  6337. Jos 19:15 Uye Katati neNaharari neShimironi neIdhara neBheterehemu: Maguta gumi nemaviri pamwe nemisha yawo.
  6338. Jos 19:16 Iyi inhaka yevana vaZebhuruni, zvichienderana nemhuri dzavo, maguta awa pamwe nemisha yawo.
  6339. Jos 19:17 Mujenya wechina wakabudira kuna Isasikari, wevana vaIsasikari zvichienderana nemhuri dzavo.
  6340. Jos 19:18 Zvino muganhu wavo waiva kuJezireeri, neKesuroti, neShunemi,
  6341. Jos 19:19 neHafaraimi, neShioni, neAnaharati,
  6342. Jos 19:20 neRabhiti, neKishioni, neEbhesi,
  6343. Jos 19:21 neRemeti, neEni-Ganimi, neEni-Hadha, neBheti-Pazezi.
  6344. Jos 19:22 Muganhu ndokutevedza paTabhori neShahazuma neBheti-Shemeshi; uye kubuda kwemuganhu wavo kwaiva paJoridhani: Maguta gumi nematanhatu pamwe nemisha yawo.
  6345. Jos 19:23 Iyi inhaka yerudzi rwevana vaIsasikari zvichienderana nemhuri dzavo, maguta pamwe nemisha yawo.
  6346. Jos 19:24 Mujenya wechishanu wakabudira kurudzi rwevana vaAsheri zvichienderana nemhuri dzavo.
  6347. Jos 19:25 Zvino muganhu wavo waiva Herikati, neHari, neBheteni, neAkishafi,
  6348. Jos 19:26 neAramereki, neAmadhi, neMishiari; ndokutevedza paKarimeri kumavirazuva, uye paShihori-Ribhinati;
  6349. Jos 19:27 ndokudzokera kunobuda zuva kuBheti-Dhagoni, ndokusvika kuZebhuruni, nekumupata weJifita-Eri kwakananga kumaodzanyemba paBheti-Emeki neNeiyeri, nekubudira kuKabhuri kuruboshwe,
  6350. Jos 19:28 neEbhuroni, neRehobhi, neHamoni, neKana, kusvika paSidhoni guru.
  6351. Jos 19:29 Zvino muganhu wakadzokera kuRama, nekuguta rakashoshewa reTire; muganhu ndokudzokera kuHosa, uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa, uchibva padunhu kuenda paAkizibhi;
  6352. Jos 19:30 uye Uma neAfeki neRehobhi: Maguta makumi maviri nemaviri pamwe nemisha yawo.
  6353. Jos 19:31 Iyi inhaka yerudzi rwevana vaAsheri zvichienderana nemhuri dzavo, maguta awa pamwe nemisha yawo.
  6354. Jos 19:32 Mujenya wechitanhatu wakabudira kuvana vaNafutari, kuvana vaNafutari zvichienderana nemhuri dzavo.
  6355. Jos 19:33 Zvino muganhu wavo waiva kubva paHerefi, kubva pamuouki paZaananimi, neAdhami-Nekebhi, neJabhuneeri, kusvika paRakumi; uye kubuda kwawo kwaiva paJoridhani.
  6356. Jos 19:34 Zvino muganhu wakadzoka kumavirazuva, kuenda kuAzinoti-Tabhori; ndokubuda ipapo kuenda Hukoki; ndokutevedza kuZebhuruni kuchamhembe, ndokutevedza kuAsheri kumavirazuva, nekuJudha paJoridhani kunobuda zuva.
  6357. Jos 19:35 Zvino maguta akashoshewa aiva Zidhimu, Zera, neHamati, Rakati, neKinereti,
  6358. Jos 19:36 neAdhama, neRama, neHazori,
  6359. Jos 19:37 neKedheshi, neEdhirei, neEni-Hazori,
  6360. Jos 19:38 neIroni, neMigadhari-Eri, Horemu, neBheti-Anati, neBheti-Shemeshi: Maguta gumi nemapfumbamwe pamwe nemisha yawo.
  6361. Jos 19:39 Iyi inhaka yerudzi rwevana vaNafutari zvichienderana nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.
  6362. Jos 19:40 Mujenya wechinomwe wakabudira kurudzi rwevana vaDhani zvichienderana nemhuri dzavo.
  6363. Jos 19:41 Zvino muganhu wenhaka yavo waiva Zora, neEshitaori, neIri-Shemeshi,
  6364. Jos 19:42 neShaarabhini, neAjaroni, neJitira,
  6365. Jos 19:43 neEroni, neTimuna, neEkironi,
  6366. Jos 19:44 neEriteke, neGibhetoni, neBhaarati,
  6367. Jos 19:45 neJehudhi, neBhene-Bheraki, neGati-Rimoni,
  6368. Jos 19:46 neMe-Jarikoni, neRakoni, nemuganhu wakatarisana neJopa.
  6369. Jos 19:47 Asi muganhu wevana vaDhani wakabuda uri mudikisa kwavari; naizvozvo vana vaDhani vakasimuka ndokurwa neReshemi, varitapa, vakarirova nekwakapinza kwemunondo, ndokurigara nhaka, ndokugaramo; ndokutumidza Reshemi Dhani, nezita raDhani baba vavo.
  6370. Jos 19:48 Iyi inhaka yerudzi rwevana vaDhani zvichienderana nemhuri dzavo, maguta awa pamwe nemisha yawo.
  6371. Jos 19:49 Naizvozvo vakapedza kugara nhaka yenyika zvichienderana nemiganhu yayo; vana vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka pakati pavo.
  6372. Jos 19:50 Maererano nekuraira kwaJehovha vakamupa guta raakakumbira, Timunati-Sera, panyika yezvikomo yaEfuremu; ndokuvaka guta, ndokugaramo.
  6373. Jos 19:51 Idzi inhaka Eriazari mupristi naJoshua mwanakomana waNuni nemisoro yemadzibaba emarudzi evana vaIsraeri dzavakagova kuva nhaka nemujenya paShiro pamberi paJehovha pamukova wetende rekusangana. Naizvozvo vakapedza kugovera nyika.
  6374. Jos 20:1 Zvino Jehovha wakataura kuna Joshua achiti:
  6375. Jos 20:2 Taura kuvana vaIsraeri uti: Zvimisirei maguta eutiziro andakareva kwamuri neruoko rwaMozisi.
  6376. Jos 20:3 Kuti muurayi anouraya munhu asiri maune asingazivi atizireko. Zvino achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.
  6377. Jos 20:4 Kana achitizira kune rimwe remaguta ayo, achamira pamukova wesuwo reguta, uye achareva nyaya yake munzeve dzevakuru veguta iro; zvino vachamugamuchira kwavari muguta ndokumupa nzvimbo kuti agare navo.
  6378. Jos 20:5 Zvino kana mutsivi weropa akamudzingirira, havangapi muurayi muruoko rwake, nokuti wakarova wekwake asingazivi, asina kumuvenga zuro namarimwezuro.
  6379. Jos 20:6 Zvino achagara muguta iro kusvika amira pamberi peungano kutongwa, kusvika pakufa kwemupristi mukuru achavapo mumazuva iwayo; ipapo muurayi achadzoka auye kuguta rake nekuimba yake, kuguta kwaakatiza achibva.
  6380. Jos 20:7 Zvino vakanatsa Kedheshi muGarirea panyika yezvikomo yaNafutari, neShekemu panyika yezvikomo yaEfuremu, neKiriyati-Aribha rinova Hebhuroni panyika yezvikomo yaJudha.
  6381. Jos 20:8 Nemhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva vakapa Bhezeri murenje pabani kubva kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kubva kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kubva kurudzi rwaManase.
  6382. Jos 20:9 Awa aiva maguta akamisirwa vana vose vaIsraeri nemutorwa agere pakati pavo semweni, kuti ani nani anouraya munhu asiri maune atizireko, kuti arege kufa neruoko rwemutsivi weropa, kusvika amira pamberi peungano.
  6383. Jos 21:1 Zvino kwakaswedera misoro yemadzibaba evaRevhi kuna Eriazari mupristi, nekuna Joshua mwanakomana waNuni, nekumisoro yemadzibaba emarudzi evana vaIsraeri.
  6384. Jos 21:2 Ndokutaura kwavari paShiro panyika yeKenani vachiti: Jehovha wakaraira neruoko rwaMozisi kutipa maguta ekugara, nemafuro awo emombe dzedu.
  6385. Jos 21:3 Vana vaIsraeri ndokupa vaRevhi panhaka yavo maguta awa nemafuro awo, zvichienderana nemurairo waJehovha.
  6386. Jos 21:4 Zvino mujenya wakabudira mhuri dzevaKohati; vana vaAroni mupristi vaibva pavaRevhi, parudzi rwaJudha neparudzi rwaSimioni neparudzi rwaBhenjamini, nemujenya ndokuva nemaguta gumi nematatu.
  6387. Jos 21:5 Zvino vana vakasara vaKohati pamhuri yerudzi rwaEfuremu neparudzi rwaDhani nepahafu yerudzi rwaManase nemujenya vakava nemaguta gumi.
  6388. Jos 21:6 Nevana vaGerishoni pamhuri yerudzi rwaIsasikari neparudzi rwaAsheri neparudzi rwaNafutari nepahafu yerudzi rwaManase muBhashani nemujenya vakava nemaguta gumi nematatu.
  6389. Jos 21:7 Vana vaMerari nemhuri dzavo parudzi rwaRubheni neparudzi rwaGadhi neparudzi rwaZebhuruni vakava nemaguta gumi nemaviri.
  6390. Jos 21:8 Zvino vana vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta awa nemafuro awo nemujenya, Jehovha sezvaakaraira neruoko rwaMozisi.
  6391. Jos 21:9 Zvino vakapa parudzi rwevana vaJudha neparudzi rwevana vaSimioni maguta awa arehwa nezita.
  6392. Jos 21:10 Aiva evana vaAroni kubva kumhuri dzevaKohati pavana vaRevhi; nokuti vakava nemujenya wekutanga.
  6393. Jos 21:11 Zvino vakavapa Kiriyati-Aribha, baba vaAnaki, rinova Hebhuroni, panyika yezvikomo yaJudha, nemafuro aro akaripoteredza.
  6394. Jos 21:12 Asi munda weguta nemisha yaro vakapa kuna Karebhu mwanakomana waJefune kuva zvake.
  6395. Jos 21:13 Naizvozvo vakapa vana vaAroni mupristi guta reutiziro remuurayi, Hebhuroni pamwe nemafuro aro, uye Ribhina pamwe nemafuro aro,
  6396. Jos 21:14 neJatiri pamwe nemafuro aro, neEshitemowa pamwe nemafuro aro,
  6397. Jos 21:15 neHoroni pamwe nemafuro aro, neDhebhiri pamwe nemafuro aro,
  6398. Jos 21:16 neAini pamwe nemafuro aro, neJuta pamwe nemafuro aro, Bheti-Shemeshi pamwe nemafuro aro: Maguta mapfumbamwe pamarudzi iwawo maviri.
  6399. Jos 21:17 Neparudzi rwaBhenjamini: Gibhiyoni pamwe nemafuro aro, Gebha pamwe nemafuro aro,
  6400. Jos 21:18 Anatoti pamwe nemafuro aro, neArinoni pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6401. Jos 21:19 Maguta ose evana vaAroni vapristi aiva maguta gumi nematatu pamwe nemafuro awo.
  6402. Jos 21:20 Nemhuri dzevana vaKohati, vaRevhi vakasara pavana vaKohati, vakava nemaguta emujenya wavo parudzi rwaEfuremu.
  6403. Jos 21:21 Zvino vakavapa guta rekutizira muurayi, Shekemu pamwe nemafuro aro panyika yezvikomo yaEfuremu, neGezeri pamwe nemafuro aro,
  6404. Jos 21:22 neKibhizaimi pamwe nemafuro aro, neBheti-Horoni pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6405. Jos 21:23 Neparudzi rwaDhani: Eriteke pamwe nemafuro aro, Gibhetoni pamwe nemafuro aro,
  6406. Jos 21:24 Ajaroni pamwe nemafuro aro, Gati-Rimoni pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6407. Jos 21:25 Nepahafu yerudzi rwaManase: Tahanaki pamwe nemafuro aro, neGati-Rimoni pamwe nemafuro aro: Maguta maviri.
  6408. Jos 21:26 Maguta ose emhuri dzevana vaKohati vakasara aiva gumi pamwe nemafuro awo.
  6409. Jos 21:27 Zvino kuvana vaGerishoni, vemhuri dzevaRevhi, pahafu yerudzi rwaManase: Guta rekutizira muurayi, Gorani paBhashani pamwe nemafuro aro, neBheeshitera pamwe nemafuro aro: Maguta maviri.
  6410. Jos 21:28 Neparudzi rwaIsasikari: Kishioni pamwe nemafuro aro, Dhabherati pamwe nemafuro aro,
  6411. Jos 21:29 Jarimuti pamwe nemafuro aro, Eni-Ganimi pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6412. Jos 21:30 Neparudzi rwaAsheri: Mishari pamwe nemafuro aro, Abhidhoni pamwe nemafuro aro,
  6413. Jos 21:31 Herikati pamwe nemafuro aro, neRehobhi pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6414. Jos 21:32 Neparudzi rwaNafutari: Guta rekutizira muurayi, Kedheshi muGarirea pamwe nemafuro aro, neHamoti-Dhori pamwe nemafuro aro, neKaritani pamwe nemafuro aro: Maguta matatu.
  6415. Jos 21:33 Maguta ose evaGerishoni nemhuri dzavo aiva maguta gumi nematatu pamwe nemafuro awo.
  6416. Jos 21:34 Zvino mhuri dzevana vaMerari, vaRevhi vakasara, parudzi rwaZebhuruni vakava neJokineamu pamwe nemafuro aro, Karita pamwe nemafuro aro,
  6417. Jos 21:35 Dhimuna pamwe nemafuro aro, Naharari pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6418. Jos 21:36 Neparudzi rwaRubheni: Bhezeri pamwe nemafuro aro, neJahazi pamwe nemafuro aro,
  6419. Jos 21:37 Kedhemoti pamwe nemafuro aro, neMefaati pamwe nemafuro aro: Maguta mana.
  6420. Jos 21:38 Neparudzi rwaGadhi: Guta rekutizira muurayi, Ramoti muGiriyadhi pamwe nemafuro aro, neMahanayimu pamwe nemafuro aro,
  6421. Jos 21:39 Heshibhoni pamwe nemafuro aro, Jazeri pamwe nemafuro aro: Maguta ose aiva mana.
  6422. Jos 21:40 Maguta ose aiva evana vaMerari, nemhuri dzavo, vakasara vemhuri dzevaRevhi; uye mujenya wavo waiva maguta gumi nemaviri.
  6423. Jos 21:41 Maguta ose evaRevhi pakati penhaka yevana vaIsraeri aiva maguta makumi mana nemasere pamwe nemafuro awo.
  6424. Jos 21:42 Maguta awa rimwe nerimwe raiva pamwe nemafuro aro kuripoteredza; ndizvo zvaiva zvakaita maguta iwawo ose.
  6425. Jos 21:43 Jehovha ndokupa vaIsraeri nyika yose yaaiva apika kupa kumadzibaba avo; ivo ndokuigara nhaka, ndokugaramo.
  6426. Jos 21:44 Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose, maererano nekupika kwake kose kumadzibaba avo; uye hakuna kumira munhu pamberi pavo kuvavengi vavo vese; Jehovha wakapa vavengi vavo vose muruoko rwavo.
  6427. Jos 21:45 Hakuna kukona chinhu pazvinhu zvose zvakanaka Jehovha zvaakataura kuimba yaIsraeri; zvose zvakaitika.
  6428. Jos 22:1 Ipapo Joshua wakadana VaRubheni nevaGadhi nehafu yerudzi rwaManase,
  6429. Jos 22:2 ndokuti kwavari: Imwi makachengeta zvose Mozisi muranda waJehovha zvaakakurairai, nekuteerera kuinzwi rangu pane zvose zvandakakurairai.
  6430. Jos 22:3 Hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvika nhasi, asi makachengeta faniro yemurairo waJehovha Mwari wenyu.
  6431. Jos 22:4 Zvino ikozvino Jehovha Mwari wenyu wapa hama yenyu zororo, sezvaakataura kwavari; naizvozvo ikozvino dzokai imwi muende kumatende enyu kunyika yenhaka yenyu, Mozisi muranda waJehovha yaakakupai mhiri kwaJoridhani.
  6432. Jos 22:5 Asi chenjerai kwazvo kuita murairo nemutemo Mozisi muranda waJehovha waakakurairai, kuda Jehovha Mwari wenyu, nekufamba munzira dzake dzose, nekuchengeta mirairo yake, nekunamatira kwaari, nekumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yeupenyu yenyu yose.
  6433. Jos 22:6 Zvino Joshua wakavaropafadza ndokuvaendesa; zvino vakaenda kumatende avo.
  6434. Jos 22:7 Zvino kuhafu yerudzi rwaManase Mozisi waiva apa nzvimbo muBhashani; asi kune imwe hafu yayo Joshua wakapa nzvimbo pamwe nehama dzavo mhiri kwaJoridhani nechekumavirazuva. Uyewo Joshua paakavaendesa kuenda kumatende avo, wakavaropafadza.
  6435. Jos 22:8 Zvino wakataura kwavari achiti: Dzokerai nefuma zhinji kumatende enyu, uye pamwe nemombe zhinji kwazvo, pamwe nesirivha, uye pamwe negoridhe, uye pamwe nendarira, uye pamwe nematare, uye pamwe nenguvo zhinji kwazvo; govanai nehama dzenyu zvakapambiwa zvevavengi venyu.
  6436. Jos 22:9 Zvino vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakadzoka, ndokubva pavana vaIsraeri paShiro iri munyika yeKenani kuenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yenhaka yavo mavakaitwa vagari venhaka zvichienderana nemurairo waJehovha neruoko rwaMozisi.
  6437. Jos 22:10 Vakati vasvika pamiganhu yaJoridhani iri munyika yeKenani, vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakavakapo aritari paJoridhani, aritari huru pakuona.
  6438. Jos 22:11 Zvino vana vaIsraeri vakanzwa kuchinzi: Tarirai, vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vavaka aritari pakatarisana nenyika yeKenani, pamiganhu yeJoridhani, kurutivi rwevana vaIsraeri.
  6439. Jos 22:12 Vana vaIsraeri vakati vachinzwa, ungano yose yevana vaIsraeri yakaunganira paShiro kukwira kwavari kuhondo.
  6440. Jos 22:13 Zvino vana vaIsraeri vakatuma kuvana vaRubheni uye kuvana vaGadhi uye kuhafu yerudzi rwaManase panyika yeGiriyadhi, Pinehasi mwanakomana waEriazari mupristi,
  6441. Jos 22:14 nemachinda gumi naye, muchinda umwe paimba imwe neimwe yababa kubva pamarudzi ose aIsraeri; umwe neumwe wavo ari musoro weimba yemadzibaba avo pazvuru zvaIsraeri.
  6442. Jos 22:15 Ivo vakasvika kuvana vaRubheni nekuvana vaGadhi nekuhafu yerudzi rwaManase kunyika yeGiriyadhi, ndokutaura navo vachiti:
  6443. Jos 22:16 Ndizvo zvinoreva ungano yose yaJehovha: Chii kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsraeri, muchitsauka nhasi pakutevera Jehovha, pakuzvivakira aritari, kuti mupandukire Jehovha nhasi?
  6444. Jos 22:17 Ko kuipa kwaPeori kudikisa kwatiri here, kwatisati tacheneswa kwakuri kusvika nhasi, kunyange pakava nedambudziko pakati peungano yaJehovha,
  6445. Jos 22:18 kuti imwi mutsauke nhasi pakutevera Jehovha? Kuchati kana imwi muchipandukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yaIsraeri.
  6446. Jos 22:19 Asi zvirokwazvo kana nyika yenhaka yenyu isina kuchena, imwi yambukirai kunyika yenhaka yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, muzviwanire nhaka pakati pedu; asi musapandukira Jehovha uye musatipandukira pakuzvivakira aritari kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu.
  6447. Jos 22:20 Akani mwanakomana waZera haana kudarika here nekudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukava paungano yose yaIsraeri? Uye murume uyu haana kufa ari ega pakudarika kwake.
  6448. Jos 22:21 Ipapo vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakapindura ndokuti kumisoro yezvuru zvaIsraeri:
  6449. Jos 22:22 Mwari wevamwari, Jehovha Mwari wevamwari, Jehovha ndiye anoziva, naIsraeri ngaazive, kana kwaiva pakupanduka uye kana nekutsauka kuna Jehovha, musatiponesa nhasi,
  6450. Jos 22:23 kuti takazvivakira aritari, kutsauka pakutevera Jehovha; kana kuti takapa pamusoro payo chipo chinopiswa kana chipo chechidyiwa, kana kuita pamusoro payo zvipo zvekuyananisa, Jehovha amene ngaatsvake.
  6451. Jos 22:24 Asi kana tisina kuita chinhu ichi nekuchenjerera nyaya, tichiti: Mangwana vana venyu vachataura nevana vedu vachiti: Munei naJehovha Mwari waIsraeri?
  6452. Jos 22:25 Nokuti Jehovha wakaita Joridhani muganhu pakati pedu nemwi, imwi vana vaRubheni nevana vaGadhi; hamuna mugove pana Jehovha. Saizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu, kuti vasatya Jehovha.
  6453. Jos 22:26 Saka takati: Ngatizvigadzire ikozvino kuvaka aritari, isiri yezvipo zvinopiswa, uye isiri yekubaira;
  6454. Jos 22:27 asi chive chapupu pakati pedu nemwi nezvizvarwa zvedu shure kwedu kuti tishumire shumiro yaJehovha pamberi pake nezvipo zvinopiswa zvedu, uye nezvibairo zvedu, uye nezvipo zvekuyananisa zvedu, kuti vana venyu vasati kuvana vedu mangwana: Hamuna mugove kuna Jehovha.
  6455. Jos 22:28 Zvino takati: Zvichati pavachataura kwatiri nekuzvizvarwa zvedu mangwana, kuti tichati: Onai mufananidzo wearitari yaJehovha madzibaba edu yavakaita, isiri yezvipo zvinopiswa kana yechibairo; asi ive chapupu pakati pedu nemwi.
  6456. Jos 22:29 Ngazvive kure nesu kuti tipandukire Jehovha, nekutsauka nhasi pakutevera Jehovha, kuvaka aritari yezvipo zvinopiswa, yezvipo zvechidyiwa, neyechibairo, kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu iri pamberi petabhenakeri yake.
  6457. Jos 22:30 Pinehasi mupristi nemachinda eungano nemisoro yezvuru zvaIsraeri vaiva naye pavakanzwa mashoko vana vaRubheni nevana vaGadhi nevana vaManase avakataura, zvakava zvakanaka pameso avo.
  6458. Jos 22:31 Zvino Pinehasi mwanakomana waEriazari mupristi wakati kuvana vaRubheni nekuvana vaGadhi nekuvana vaManase: Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarika chitadzo ichi kuna Jehovha; ikozvino makasunungura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.
  6459. Jos 22:32 Zvino Pinehasi mwanakomana waEriazari mupristi nemachinda vakadzoka kubva kuvana vaRubheni nekuvana vaGadhi panyika yeGiriyadhi vachienda kunyika yeKenani kuvana vaIsraeri, ndokuvadzosera shoko.
  6460. Jos 22:33 Zvino chinhu ichi chakava chakanaka pameso evana vaIsraeri; vana vaIsraeri ndokurumbidza Mwari; uye havana kutaura zvekukwira kwavari kuhondo, kuparadza nyika maiva mugere vana vaRubheni nevana vaGadhi.
  6461. Jos 22:34 Zvino vana vaRubheni nevana vaGadhi vakatumidza aritari kuti: Uchapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiMwari.
  6462. Jos 23:1 Zvino zvakaitika shure kwemazuva mazhinji, shure kwekunge Jehovha azorodza Israeri pavavengi vavo vose kumativi ose, naJoshua akwegura ava nemakore mazhinji,
  6463. Jos 23:2 Joshua ndokudana Israeri wose, vakuru vavo, nemisoro yavo, nevatongi vavo, nevabati vavo, ndokuti kwavari: Ini ndakwegura, ndava nemakore mazhinji.
  6464. Jos 23:3 Uye imwi makaona zvose Jehovha Mwari wenyu zvaakaitira ndudzi idzi dzose nekuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.
  6465. Jos 23:4 Onai, ndakakugoverai nemujenya marudzi awa asara, kuva nhaka yemarudzi enyu, kubva paJoridhani pamwe nemarudzi ose andakagura, negungwa guru kunovira zuva.
  6466. Jos 23:5 Zvino Jehovha Mwari wenyu ndiye achaadzinga pamberi penyu, nekuadzinga panhaka pamberi penyu; uye muchagara nhaka yenyika yawo, Jehovha Mwari wenyu sezvaakataura kwamuri.
  6467. Jos 23:6 Naizvozvo simbai kwazvo muchengete nekuita zvose zvakanyorwa mubhuku remurairo waMozisi, kuti musatsauka pauri kuenda kurudyi kana kuruboshwe;
  6468. Jos 23:7 kuti musapinda pakati paawa marudzi, awa akasara pamwe nemwi; uye musareva zita revamwari vavo, uye musapika navo, uye musavashumira, uye musavafugamira;
  6469. Jos 23:8 asi namatirai kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvika nhasi.
  6470. Jos 23:9 Nokuti Jehovha wakadzinga kubva pamberi penyu marudzi makuru uye ane simba; asi imwi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvika nhasi.
  6471. Jos 23:10 Munhu umwe wenyu achadzinga churu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai, sezvaakataura kwamuri.
  6472. Jos 23:11 Naizvozvo zvichenjererei kwazvo kuti mude Jehovha Mwari wenyu.
  6473. Jos 23:12 Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira kumusiiwa wemarudzi awa, iwo akasara pakati penyu, uye mukawanana navo, ndokupinda kwavari, naivo kwamuri,
  6474. Jos 23:13 muzive zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu haangaendereri kudzinga panhaka marudzi awa kubva pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvika mapera panyika iyi yakanaka Jehovha Mwari wenyu yaakakupai.
  6475. Jos 23:14 Zvino tarirai, nhasi ndinoenda nenzira yenyika yese; zvino imwi munoziva mumoyo yenyu yose nemumweya yeupenyu yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe chakakona pazvinhu zvose zvakanaka Jehovha Mwari wenyu zvaakataura pamusoro penyu; zvose zvakaitika kwamuri; hapana chinhu chimwe chakakona pazviri.
  6476. Jos 23:15 Naizvozvo zvichaitika, sezvinhu zvose zvakanaka Jehovha Mwari wenyu zvaakataura kwamuri zvakakuwirai, naizvozvo Jehovha achakuwisirai zvose zvinhu zvakaipa, kusvika akuparadzai kubva panyika iyi yakanaka Jehovha Mwari wenyu yaanokupai.
  6477. Jos 23:16 Kana madarika sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakakurairai, ndokuenda ndokushumira vamwe vamwari, ndokufugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakupfutirai, uye muchaparara nekukurumidza kubva panyika iyo yakanaka yaakapa kwamuri.
  6478. Jos 24:1 Zvino Joshua wakaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu, ndokudana vakuru vaIsraeri, nemisoro yavo, nevatongi vavo, nevatariri vavo; ndokuzvimisa pamberi paMwari.
  6479. Jos 24:2 Joshua ndokuti kuvanhu vese: Anoreva saizvozvi Jehovha Mwari waIsraeri: Madzibaba enyu akagara kare mhiri kwerwizi: Tera baba vaAbhurahama nababa vaNahori, uye vaishumira vamwe vamwari.
  6480. Jos 24:3 Zvino ndakatora baba venyu Abhurahama kubva mhiri kwerwizi, ndikamufambisa kugura nyika yose yeKenani, ndokuwanza mbeu yake, ndokumupa Isaka.
  6481. Jos 24:4 Zvino ndakapa kuna Isaka Jakove naEsau; uye kuna Esau ndakapa gomo reSeiri kurigara nhaka; asi Jakove nevana vake vakaburukira kuEgipita.
  6482. Jos 24:5 Ndakatumawo Mozisi naAroni, ndokutambudza Egipita, zvichienderana nezvandakaita pakati payo; uye pashure ndakakubudisai.
  6483. Jos 24:6 Zvino ndakabudisa madzibaba enyu paEgipita, zvino makasvika pagungwa; vaEgipita ndokudzingirira kutevera madzibaba enyu vane ngoro uye vatasvi vemabhiza kusvika paGungwa Dzvuku.
  6484. Jos 24:7 Pavakachema kuna Jehovha, wakaisa rima pakati penyu nevaEgipita, ndokuuisa gungwa pamusoro pavo, ndokuvafukidza; uye meso enyu akaona zvandakaita muEgipita. Uye makagara murenje mazuva mazhinji.
  6485. Jos 24:8 Zvino ndakakuunzai munyika yevaAmori vaigara mhiri kwaJoridhani; ivo ndokurwa nemwi, uye ndakavaisa muruoko rwenyu, kuti mugare nhaka yenyika yavo; zvino ndakavaparadza kubva pamberi penyu.
  6486. Jos 24:9 Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo waMoabhu wakasimuka ndokurwa naIsraeri, ndokutuma nhume ndokudana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti akutukei.
  6487. Jos 24:10 Asi ini handina kuda kuteerera Bharamu; naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; zvino ndakakusunungurai paruoko rwake.
  6488. Jos 24:11 Zvino makayambuka Joridhani ndokusvika paJeriko; varidzi veJeriko ndokukurwisai: VaAmori, nevaPerezi, nevaKenani, nevaHiti, nevaGirigashi, vaHivhi, nevaJebhusi; uye ndikavaisa muruoko rwenyu.
  6489. Jos 24:12 Zvino ndakatuma pamberi penyu mago, iwo akavadzinga pamberi penyu, madzimambo maviri evaAmori; kwete nemunondo wenyu kana neuta hwako.
  6490. Jos 24:13 Zvino ndakakupai nyika yamusina kushandira, nemaguta amusina kuvaka, amugeremo; munodya paminda yemizambiringa neminda yemiorivhi yamusina kusima.
  6491. Jos 24:14 Zvino ikozvino ityai Jehovha, uye mushumirei mukuvimbika nemuchokwadi, uye rasai vamwari madzibaba enyu vavaishumira mhiri kwerwizi uye muEgipita, uye mushumire Jehovha.
  6492. Jos 24:15 Zvino kana zvakaipa pameso enyu kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira: Kana vamwari madzibaba enyu vavaishumira mhiri kwerwizi, kana vamwari vevaAmori vamugere munyika yavo; asi ini neveimba yangu tichashumira Jehovha.
  6493. Jos 24:16 Zvino vanhu vakapindura ndokuti: Ngazvive kure nesu, kuti tisiye Jehovha, kushumira vamwe vamwari.
  6494. Jos 24:17 Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye wakatikwidza uye madzibaba edu kubva panyika yeEgipita paimba yeuranda; uye wakaita zviratidzo izvo zvikuru pamberi pemeso edu, ndokutichengeta panzira yose yatakafamba mairi, nepakati pendudzi dzose dzatakapfuura nemadziri.
  6495. Jos 24:18 Jehovha ndokudzinga marudzi ose pamberi pedu, nevaAmori vaigara panyika ino; nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiMwari wedu.
  6496. Jos 24:19 Zvino Joshua wakati kuvanhu: Hamugoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo, haangakukanganwirii kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.
  6497. Jos 24:20 Kana mukasiya Jehovha, mukashumira vamwari vevatorwa, ipapo achadzoka, ndokuita zvakaipa kwamuri, ndokukupedzai, shure kwekunge akuitirai zvakanaka.
  6498. Jos 24:21 Zvino vanhu vakati kuna Joshua: Kwete, asi tichashumira Jehovha.
  6499. Jos 24:22 Joshua ndokuti kuvanhu: Muri zvapupu pamusoro penyu, kuti imwi mazvisarudzira Jehovha kumushumira. Ivo ndokuti: Tiri zvapupu.
  6500. Jos 24:23 Zvino ikozvino, bvisai vamwari vevatorwa vari pakati penyu, mugorerekera moyo wenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.
  6501. Jos 24:24 Vanhu ndokuti kuna Joshua: Jehovha Mwari wedu tichamushumira, neinzwi rake tichateerera.
  6502. Jos 24:25 Naizvozvo Joshua wakaita sungano nevanhu pazuva iro, akavaisira chimiso nechakatemwa paShekemu.
  6503. Jos 24:26 Zvino Joshua wakanyora mashoko awa mubhuku remurairo waMwari; ndokutora ibwe guru ndokurimisapo pazasi pemuouki waiva paimba tsvene yaJehovha.
  6504. Jos 24:27 Zvino Joshua wakati kuvanhu vese: Tarirai, ibwe iri richava chapupu kwatiri, nokuti iro rakanzwa mashoko ose aJehovha aakataura kwatiri; naizvozvo richava uchapupu kwamuri, zvimwe mungaramba Mwari wenyu.
  6505. Jos 24:28 Naizvozvo Joshua wakaendesa vanhu, umwe neumwe kunhaka yake.
  6506. Jos 24:29 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Joshua mwanakomana waNuni muranda waJehovha wakafa ari wemakore zana negumi.
  6507. Jos 24:30 Zvino vakamuviga pamuganhu wenhaka yake paTimunati-Sera riri panyika yezvikomo yaEfuremu, nechekumaodzanyemba kwegomo reGaashi.
  6508. Jos 24:31 Zvino Israeri wakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, nemazuva ose evakuru vakawedzera mazuva shure kwaJoshua, ivo vaiva vakaziva basa rose raJehovha raaiva aitira Israeri.
  6509. Jos 24:32 Zvino mapfupa aJosefa vana vaIsraeri avaiva vakwira nawo kubva muEgipita vakaaviga paShekemu, padunhu remunda Jakove raakatenga kuvana vaHamori baba vaShekemu nezana remari; ndokuva nhaka yevana vaJosefa.
  6510. Jos 24:33 Zvino Eriazari mwanakomana waAroni wakafa; ivo ndokumuviga muchikomo chemwanakomana wake Pinehasi, chaaiva apiwa munyika yezvikomo yaEfuremu
  6511. Jdg 1:1 Zvino zvakaitika shure kwekufa kwaJoshua, kuti vana vaIsraeri vakabvunza Jehovha vachiti: Ndiani achatikwirira kuvaKenani pakutanga kuvarwisa?
  6512. Jdg 1:2 Jehovha ndokuti: Judha achakwira; tarirai, ndapa nyika muruoko rwake.
  6513. Jdg 1:3 Zvino Judha wakati kuna Simioni mukoma wake: Kwira neni kumujenya wangu, zvino ticharwisa vaKenani; neniwo ndichaenda newe kumujenya wako. Simioni ndokuenda naye.
  6514. Jdg 1:4 Zvino Judha wakakwira, Jehovha ndokuisa vaKenani nevaPerizi muruoko rwavo; zvino vakavarova muBhezeki, varume zvuru gumi.
  6515. Jdg 1:5 Zvino vakawana Adhoni-Bhezeki muBhezeki ndokumurwisa, ndokurova vaKenani nevaPerizi.
  6516. Jdg 1:6 Asi Adhoni-Bhezeki wakatiza; ivo ndokudzingirira shure kwake, ndokumubata, ndokugura zvigunwe zvikuru zvemaoko ake nezvetsoka dzake.
  6517. Jdg 1:7 Zvino Adhoni-Bhezeki wakati: Madzimambo makumi manomwe agurwa zvigunwe zvikuru zvemaoko avo nezvetsoka dzavo zvainonga pasi petafura yangu; sezvandakaita, Mwari wakanditsiva saizvozvo. Zvino vakamuunza kuJerusarema, iye ndokufirako.
  6518. Jdg 1:8 Zvino vana vaJudha vakarwisa Jerusarema ndokuritapa, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, ndokubatidza guta nemoto.
  6519. Jdg 1:9 Zvino pashure vana vaJudha vakaburuka kunorwisa vaKenani vaigara panyika yezvikomo nekuchamhembe nekumapani.
  6520. Jdg 1:10 Zvino vaJudha vakaenda vakamirisana nevaKenani vaigara Hebhuroni. Zvino zita reHebhuroni pakutanga raiva Kiriyati-Aribha. Zvino vakarova Sheshai naAhimani naTarimai.
  6521. Jdg 1:11 Ndokubvapo ndokuenda vakamirisana nevagari veDhebhiri. Zvino zita reDhebhiri pakutanga raiva Kiriati-Seferi.
  6522. Jdg 1:12 Zvino Karebhu wakati: Anorova Kiriati-Seferi ndokuritapa, ndichapa kwaari mukunda wangu Akisa kuva mukadzi.
  6523. Jdg 1:13 Zvino Otiniyeri mwanakomana waKenazi munin’ina waKarebhu ndokuritapa; iye ndokumupa mukunda wake Akisa kuva mukadzi.
  6524. Jdg 1:14 Zvino zvakaitika pakusvika kwake, kuti wakamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye wakaburuka pambongoro; Karebhu ndokuti kwaari: Chii kwauri?
  6525. Jdg 1:15 Zvino wakati kwaari: Ndipei ropafadzo; sezvo makandipa nyika yekuchamhembe, ndipeiwo matsime emvura. Karebhu ndokumupa matsime ekumusoro nematsime ezasi.
  6526. Jdg 1:16 Zvino vana vemuKeni, mukarahwa waMozisi, vakakwira kubuda paguta remichindwe pamwe nevana vaJudha kurenje raJudha, riri kuchamhembe kweAradhi; ndokuenda ndokugara nevanhu.
  6527. Jdg 1:17 Zvino Judha wakaenda naSimioni mukoma wake ndokurova vaKenani vaigara paZefati; ndokuriparadza chose. Naizvozvo zita reguta iro rikatumidzwa Horima.
  6528. Jdg 1:18 Judha ndokutapawo Gaza nemuganhu waro neAshikeroni nemuganhu waro neEkironi nemuganhu waro.
  6529. Jdg 1:19 Zvino Jehovha wakava naJudha, ndokugara nhaka yenyika yezvikomo, asi haana kudzinga panhaka vagari vemumupata, nokuti vaiva nengoro dzematare.
  6530. Jdg 1:20 Zvino vakapa Hebhuroni kuna Karebhu, Mozisi sezvaakataura; iye ndokudzingapo vana vaAnaki vatatu.
  6531. Jdg 1:21 Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vaigara paJerusarema panhaka; asi vaJebhusi vakagara paJerusarema pamwe nevana vaBhenjamini kusvika nhasi.
  6532. Jdg 1:22 Zvino imba yaJosefa, naivo vakakwira kuBheteri; Jehovha ndokuva navo.
  6533. Jdg 1:23 Zvino imba yaJosefa yakashoresa Bheteri. Zvino zita reguta pakutanga raiva Ruzi.
  6534. Jdg 1:24 Zvino nharirire dzakaona munhu achibuda muguta, ndokuti kwaari: Tiratidze hako nzira yekupinda muguta, zvino tichakuitira tsitsi.
  6535. Jdg 1:25 Wakati avaratidza nzira yekupinda muguta, vakarova guta nekwakapinza kwemunondo; asi munhu uyu nemhuri yake yose vakarega vakaenda.
  6536. Jdg 1:26 Zvino munhu uyu wakaenda kunyika yevaHiti, ndokuvaka guta, ndokutumidza zita raro Ruzi; ndiro zita raro kusvika nhasi.
  6537. Jdg 1:27 NaManase haana kudzinga panhaka Bheti-Sheani nemisha yaro, neTaanaki nemisha yaro, nevagari veDhori nemisha yaro, nevagari veIbhireami nemisha yaro, nevagari veMegidho nemisha yaro; asi vaKenani vakada kugara panyika iyo.
  6538. Jdg 1:28 Zvino zvakaitika Israeri achakasimba, kuti wakamisa vaKenani pachibharo; asi havana kuvadzinga zvachose.
  6539. Jdg 1:29 NaEfuremu haana kudzinga panhaka vaKenani vaigara paGezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavo paGezeri.
  6540. Jdg 1:30 Zebhuruni haana kudzinga panhaka vagari veKitironi nevagari veNaharori; asi vaKenani vakagara pakati pavo ndokuva vabati vechibharo.
  6541. Jdg 1:31 Asheri haana kudzinga panhaka vagari veAko, nevagari veSidhoni, neAkirabhi, neAkisibhi, neHeribha, neAfiki, neRehobi;
  6542. Jdg 1:32 asi vaAsheri vakagara pakati pevaKenani vagari venyika iyo; nokuti havana kuvadzinga.
  6543. Jdg 1:33 Nafutari haana kudzinga panhaka vagari veBheti-Shemeshi, nevagari veBheti-Anati; asi wakagara pakati pevaKenani vagari venyika iyo; asi vagari veBheti-Shemeshi neveBheti-Anati vakava vabati vechibharo kwavari.
  6544. Jdg 1:34 Zvino vaAmori vakasundira vana vaDhani kugomo, nokuti havana kuvatendera kuburukira kumupata.
  6545. Jdg 1:35 Asi vaAmori vakada kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nemuShaaribhimu; asi ruoko rweimba yaJosefa rwakarema, uye vakava vabati vechibharo.
  6546. Jdg 1:36 Zvino muganhu wevaAmori wakabva pamukwidza weAkirabhimu, kubva padombo uchikwira.
  6547. Jdg 2:1 Zvino mutumwa waJehovha wakakwira kubva Girigari kuenda Bhokimi, ndokuti: Ndakakukwidza kubva muEgipita, ndokukuunza munyika yandakapikira madzibaba enyu, uye ndakati: Handingatongoputsi sungano yangu nemwi nekusingaperi.
  6548. Jdg 2:2 Nemwi hamungaiti sungano nevagari venyika ino; muchaputsa aritari dzavo. Asi hamuna kuteerera inzwi rangu. Chii ichi chamakaita?
  6549. Jdg 2:3 Naizvozvo ndakatiwo: Handingavadzingi panhaka kubva pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, nevamwari vavo vachava chisungo kwamuri.
  6550. Jdg 2:4 Zvino zvakaitika mutumwa waJehovha paakataura mashoko awa kuvana vaIsraeri vose, kuti vanhu vakasimudza inzwi ravo ndokuchema.
  6551. Jdg 2:5 Zvino vakatumidza zita renzvimbo iyo Bhokimi, ndokubairapo Jehovha.
  6552. Jdg 2:6 Joshua wakati aendesa vanhu, vana vaIsraeri vakaenda, umwe neumwe kunhaka yake kugara nhaka yenyika.
  6553. Jdg 2:7 Zvino vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, nemazuva ose evakuru vakawedzera mazuva shure kwaJoshua, vaiva vaona basa rose guru raJehovha raakaita kuna Israeri.
  6554. Jdg 2:8 Zvino Joshua mwanakomana waNuni muranda waJehovha wakafa ari wemakore zana negumi.
  6555. Jdg 2:9 Zvino vakamuviga pamuganhu wenhaka yake paTiminati-Heresi, panyika yezvikomo yaEfuremu, kumaodzanyemba kwegomo reGaashi.
  6556. Jdg 2:10 Zvinowo vezera iro rose vakasanganiswa kumadzibaba avo; ndokumuka rimwe zera shure kwavo raiva risingazivi Jehovha, kana basawo raakaitira Israeri.
  6557. Jdg 2:11 Zvino vana vaIsraeri vakaita chakaipa pameso aJehovha, ndokushumira vana Bhaari.
  6558. Jdg 2:12 Zvino vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, wakavabudisa munyika yeEgipita, ndokutevera vamwe vamwari, vevamwari vevanhu vakavapoteredza, ndokuvafugamira, ndokutsamwisa Jehovha.
  6559. Jdg 2:13 Vakasiya Jehovha ndokushumira Bhaari nevaAshitaroti.
  6560. Jdg 2:14 Kutsamwa kwaJehovha ndokupfutira Israeri, iye ndokuvapa muruoko rwevapambi, ivo ndokuvapamba, akavatengesawo muruoko rwevavengi vavo vakapoteredza; kuti vasachigona kumira pamberi pevavengi vavo.
  6561. Jdg 2:15 Pose pavakabuda, ruoko rwaJehovha rwaivapikisa nezvakaipa, Jehovha sezvaakataura, uye Jehovha sezvaakavapikira; zvino vakamanikidzwa zvikuru.
  6562. Jdg 2:16 Zvino Jehovha wakamutsa vatongi; ivo ndokuvanunura paruoko rwevaivapamba.
  6563. Jdg 2:17 Zvakadaro havana kuteerera kuvatongi vavo, nokuti vakapomba vachitevera vamwe vamwari, nekuvafugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yakafamba madzibaba avo mairi achiteerera mirairo yaJehovha; havana kuita saizvozvo.
  6564. Jdg 2:18 Zvino Jehovha paakavamutsira vatongi, Jehovha waiva nemutongi uyo, ndokuvanunura paruoko rwevavengi, mazuva ose emutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pekugomera kwavo nekuda kwevaivamanikidza nekuvanetsa.
  6565. Jdg 2:19 Zvino zvakaitika pakufa kwemutongi, vakadzoka, ndokunyangara kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, kuvashumira, nekuvafugamira; havana kuwa kubva pamabasa avo uye kubva panzira yavo yakaoma.
  6566. Jdg 2:20 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, ndokuti: Nokuti rudzi urwu rwakadarika sungano yangu yandakaraira madzibaba avo, uye harwuna kuteerera kuinzwi rangu,
  6567. Jdg 2:21 iniwo handichazodzingi panhaka ani nani kubva mberi kwavo kubva pamarudzi Joshua aakasiya pakufa kwake;
  6568. Jdg 2:22 kuti ndiidze Israeri nawo, kana vachichengeta nzira yaJehovha kufamba mairi, madzibaba avo sezvaaiichengeta, kana kwete.
  6569. Jdg 2:23 Naizvozvo Jehovha wakasiya marudzi awa, kuti asavadzinga panhaka nekukurumidza, uye haana kuvapa muruoko rwaJoshua.
  6570. Jdg 3:1 Zvino ndiwo marudzi Jehovha aakasiya, kuti aidze Israeri nawo, vose vaiva vasina kuziva hondo dzose dzeKenani;
  6571. Jdg 3:2 koga kuti mazera evana vaIsraeri azive, kuvadzidzisa hondo, vega vasina kuziva izvozvo pakutanga:
  6572. Jdg 3:3 Madzishe mashanu evaFirisitia, nevaKenani vose, nevaSidhoni, nevaHivhi, vaigara mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaari-Herimoni, kusvika pakupinda paHamati.
  6573. Jdg 3:4 Zvino vaiva vekuidza Israeri navo, kuziva kana vachiteerera mirairo yaJehovha yaakaraira madzibaba avo neruoko rwaMozisi.
  6574. Jdg 3:5 Zvino vana vaIsraeri vakagara pakati pevaKenani, vaHiti, nevaAmori, nevaPerizi, nevaHivhi, nevaJebhusi.
  6575. Jdg 3:6 Zvino vakatora vakunda vavo kuva vakadzi vavo, nevakunda vavo vakapa kuvanakomana vavo, ndokushumira vamwari vavo.
  6576. Jdg 3:7 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokukanganwa Jehovha Mwari wavo, ndokushumira vana Bhaari nematanda ekunamata nawo.
  6577. Jdg 3:8 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, iye ndokuvatengesa muruoko rwaKushani-Rishataimu, mambo weMesopotamia. Vana vaIsraeri ndokushandira Kushani-Rishataimi makore masere.
  6578. Jdg 3:9 Vana vaIsraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha wakamutsira vana vaIsraeri musununguri wakavasunungura, Otiniyeri mwanakomana waKenazi munin’ina waKarebhu.
  6579. Jdg 3:10 Zvino Mweya waJehovha waiva pamusoro pake, ndokutonga Israeri, ndokubudira hondo; Jehovha ndokupa Kushani-Rishataimi mambo weSiriya muruoko rwake; ruoko rwake ndokuva nesimba pana Kushani-Rishataimi.
  6580. Jdg 3:11 Zvino nyika yakazorora makore makumi mana. Otiniyeri mwanakomana waKenazi ndokufa.
  6581. Jdg 3:12 Zvino vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pameso aJehovha. Jehovha ndokusimbisa Egironi mambo waMoabhu kurwisa Israeri, nokuti vaiva vaita zvakaipa pameso aJehovha.
  6582. Jdg 3:13 Zvino wakazviunganidzira vana vaAmoni naAmareki, ndokuenda ndokurova Israeri, ndokugara nhaka yeguta remichindwe.
  6583. Jdg 3:14 Vana vaIsraeri ndokushandira Egironi mambo waMoabhu makore gumi nemasere.
  6584. Jdg 3:15 Vana vaIsraeri vakati vachichema kuna Jehovha, uye Jehovha wakavamutsira musununguri, Ehudhi mwanakomana waGera muBhenjamini, munhu wakadzivirwa ruoko rwerudyi; vana vaIsraeri ndokutumira neruoko rwake kuna Egironi mambo waMoabhu chipo.
  6585. Jdg 3:16 Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakarodzwa mativi maviri, kureba kwawo kwaiva kubhiti; ndokuusungira pasi penguvo yake pachidya chake cherudyi.
  6586. Jdg 3:17 Zvino wakaswededza chipo kuna Egironi mambo waMoabhu. Zvino Egironi waiva munhu wakakora kwazvo.
  6587. Jdg 3:18 Zvino zvakaitika apedza kuswededza chipo, kuti wakaperekedza vanhu vaiva vakatakura chipo.
  6588. Jdg 3:19 Asi iye wakadzokera shure kumifananidzo yakavezwa paGirigari, ndokuti: Ndine nyaya iri chakavanzika kwamuri, mambo; uyo wakati: Nyarara. Vose vaiva vamire naye ndokubuda kubva kwaari.
  6589. Jdg 3:20 Zvino Ehudhi wakauya kwaari; iye waiva agere muimba yekumusoro inotonhorera yaiva yake ega; Ehudhi ndokuti: Ndine nyaya yaMwari kwamuri. Iye ndokusimuka pachigaro.
  6590. Jdg 3:21 Zvino Ehudhi wakatandavadza ruoko rwake rweruboshwe, ndokutora munondo kubva pachidya chake cherudyi, ndokuunyudza mudumbu rake,
  6591. Jdg 3:22 kusvika kwapindawo chibato shure kwekwakapinza, mafuta ndokufukidza kwakapinza kose, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, chizvizvi ndokubuda.
  6592. Jdg 3:23 Zvino Ehudhi wakabuda nepaburi, ndokupfiga mikova yeimba yekumusoro shure kwake, ndokukiya.
  6593. Jdg 3:24 Wakati iye abuda, varanda vake vakasvika, ndokuti vachiona, zvino tarira, mikova yeimba yekumusoro yakakiyiwa, ndokuti: Zvirokwazvo anofukidza makumbo ake paimba inotonhorera.
  6594. Jdg 3:25 Zvino vakamira kusvika vanyara, zvino tarira, haana kuzarura mikova yeimba yekumusoro; naizvozvo vakatora kiyi ndokuzarura, zvino tarira, ishe wavo wakawira pasi akafa.
  6595. Jdg 3:26 Ehudhi ndokupukunyuka vachiri kunonoka, iye ndokupfuura pamifananidzo yakavezwa, ndokupukunyuka ndokuenda Seira.
  6596. Jdg 3:27 Zvino zvakaitika pakusvika kwake kuti wakaridza hwamanda panyika yezvikomo yaEfuremu; vana vaIsraeri ndokuburuka naye panyika yezvikomo, iye ari mberi kwavo.
  6597. Jdg 3:28 Iye ndokuti kwavari: Nditeverei, nokuti Jehovha wapa vavengi venyu, vaMoabhu, muruoko rwenyu. Zvino vakaburuka vachimutevera, ndokutapa mazambuko aJoridhani aienda kwaMoabhu, ndokusatendera munhu kuyambuka.
  6598. Jdg 3:29 Zvino vakauraya vaMoabhu panguva iyo, varume vanenge zvuru gumi, vose vane simba uye vose varume veumhare, uye hakuna munhu wakapukunyuka.
  6599. Jdg 3:30 Naizvozvo vaMoabhu vakawisirwa pasi peruoko rwaIsraeri nezuva iro; nyika ndokuzorora makore makumi masere.
  6600. Jdg 3:31 Shure kwake kwaiva kuna Shamugari mwanakomana waAnati; wakauraya vaFirisitia, vanhu mazana matanhatu nerutanda rwekubayisa mombe; iyewo akaponesa Israeri.
  6601. Jdg 4:1 Zvino vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pameso aJehovha, Ehudhi afa.
  6602. Jdg 4:2 Jehovha ndokuvatengesa muruoko rwaJabhini mambo weKenani waitonga paHazori; mukuru wehondo yake waiva Sisera, waigara paHarosheti revahedheni.
  6603. Jdg 4:3 Zvino vana vaIsraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti waiva ane ngoro dzematare mazana mapfumbamwe. Zvino iye wakamanikidza vana vaIsraeri nechisimba makore makumi maviri.
  6604. Jdg 4:4 Dhebhora mukadzi muporofitakadzi waiva mukadzi waRapidhoti, ndiye waitonga Israeri panguva iyo.
  6605. Jdg 4:5 Zvino iye waigara pazasi pemuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheteri, panyika yezvikomo yaEfuremu; vana vaIsraeri ndokukwira kwaari kunopiwa mutongo.
  6606. Jdg 4:6 Zvino wakatuma nhume ndokudana Bharaki mwanakomana waAbhinowami kubva paKedheshi-Nafutari, ndokuti kwaari: Jehovha Mwari waIsraeri haana kuraira here, achiti: Enda ugoswedera kugomo reTabhori, uye uzvitorere varume zvuru gumi zvevana vaNafutari nezvevana vaZebhuruni?
  6607. Jdg 4:7 Neni ndichakwevera kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini nengoro dzake nechaunga chake, ndimupe muruoko rwako.
  6608. Jdg 4:8 Bharaki ndokuti kwaari: Kana mukaenda neni ndichaenda, asi kana musingaendi neni handingaendi.
  6609. Jdg 4:9 Iye ndokuti: Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi rukudzo harwungavi rwako panzira yaunofamba, nokuti Jehovha achatengesa Sisera muruoko rwemukadzi. Dhebhora ndokusimuka ndokuenda kuKedheshi naBharaki.
  6610. Jdg 4:10 Bharaki ndokukokorodza Zebhuruni naNafutari paKedheshi, ndokukwira nevarume zvuru gumi vaimutevera; naDhebhora wakakwira naye.
  6611. Jdg 4:11 Zvino Hebheri muKeni wakazviparadzanisa nevaKeni wevana vaHobhabhi mukarahwa waMozisi, ndokudzika tende rake kusvika pamuouki paZaananimu riri paKedheshi.
  6612. Jdg 4:12 Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki mwanakomana waAbhinowami wakwira mugomo reTabhori.
  6613. Jdg 4:13 Sisera ndokudanira pamwe ngoro dzake dzose, ngoro mazana mapfumbamwe dzematare, nevanhu vose vaiva naye, kubva paHarosheti revahedheni kusvika kurwizi Kishoni.
  6614. Jdg 4:14 Zvino Dhebhora wakati kuna Bharaki: Muka, nokuti iri ndiro zuva Jehovha achapa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kubuda mberi kwako here? Bharaki ndokuburuka kubva mugomo reTabhori nevarume zvuru gumi shure kwake.
  6615. Jdg 4:15 Zvino Jehovha wakavhiringidza Sisera nengoro dzose nehondo yose nekwakapinza kwemunondo pamberi paBharaki, kusvika Sisera aburuka pangoro yake ndokutiza netsoka dzake.
  6616. Jdg 4:16 Asi Bharaki wakadzingirirana nengoro nehondo kusvika paHarosheti revahedheni; hondo yose yaSisera ndokuwa pakwakapinza kwemunondo; hakuna kusara kunyange umwe.
  6617. Jdg 4:17 Asi Sisera wakatiza netsoka dzake kuenda kutende raJaeri mukadzi waHebheri muKeni; nokuti kwaiva nerugare pakati paJabhini mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni.
  6618. Jdg 4:18 Zvino Jaeri wakabuda kusangana naSisera, ndokuti kwaari: Tsaukai ishe wangu, tsaukirai kwandiri, regai kutya. Zvino wakatsaukira kwaari mutende, iye ndokumufukidza nechifukidzo.
  6619. Jdg 4:19 Iye ndokuti kwaari: Ndipewo svimvura ndinwe, nokuti ndine nyota. Zvino wakazarura dende remukaka ndokumupa kuti anwe, ndokumufukidza.
  6620. Jdg 4:20 Zvino wakati kwaari: Mira pamukova wetende; zvino zvichadai, kana ani nani akauya ndokukubvunza, achiti: Pano pane munhu here? Uchati: Hapana munhu.
  6621. Jdg 4:21 Asi Jaeri mukadzi waHebheri wakatora mbambo yetende ndokutora nyundo muruoko rwake, ndokuverevedza maari, ndokurovera mbambo nepachavovo chake ndokupinda kusvika muvhu, nokuti waiva abatwa kwazvo nehope, uye aneta; ndokufa.
  6622. Jdg 4:22 Zvino tarira, Bharaki wakadzingirira Sisera, Jaeri ndokubuda kumuchingamidza, ndokuti kwaari: Uya ndigokuratidza munhu waunotsvaka. Iye ndokupinda kwaari, zvino tarira, Sisera wakawa wakafa, nembambo ichiri pachavovo chake.
  6623. Jdg 4:23 Naizvozvo nezuva iro Jehovha wakawisira Jabhini mambo weKenani pasi pamberi pevana vaIsraeri.
  6624. Jdg 4:24 Zvino ruoko rwevana vaIsraeri rwakaenderera mberi rwuchirema pamusoro paJabhini mambo weKenani, kusvika vaparadza Jabhini mambo weKenani.
  6625. Jdg 5:1 Zvino Dhebhora naBharaki mwanakomana waAbhinowami vakaimba nezuva iro vachiti:
  6626. Jdg 5:2 Kudzai Jehovha, nekuda kwekutsiva kwetsivo paIsraeri, kana vanhu vakazvipa nekuzvidira.
  6627. Jdg 5:3 Inzwai madzimambo, mupe nzeve imwi machinda; ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; ndicharumbidza Jehovha Mwari waIsraeri nenziyo.
  6628. Jdg 5:4 Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, pakutsika kwenyu muchibva musango reEdhomu, nyika yakadedera, uye matenga akadonha, uye makore akadonha mvura.
  6629. Jdg 5:5 Makomo akayerera pamberi paJehovha, iro Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsraeri.
  6630. Jdg 5:6 Pamazuva aShamugari, mwanakomana waAnati, pamazuva aJaeri, nzira dzakapera, nevafambi munzira vaifamba nenzira dzakakombama.
  6631. Jdg 5:7 Vagari vemaruwa vakapera kwaIsraeri, vakapera, kusvika ini Dhebhora ndichisimuka, ndichisimuka, ini mai kwaIsraeri.
  6632. Jdg 5:8 Vakasarudza vamwari vatsva; ipapo kukava nehondo pamasuwo. Pakaonekwa here nhovo kana pfumo pakati pezvuru makumi mana kwaIsraeri?
  6633. Jdg 5:9 Moyo wangu uri kuvapi vemurairo vekwaIsraeri, vanozvipa vachizvidira pakati pevanhu; kudzai Jehovha!
  6634. Jdg 5:10 Vatasvi vemadongi makadzi machena, vagari vemhasa dzinokosha, nevafambi venzira, taurai.
  6635. Jdg 5:11 Painzwi revafuri veuta, pakati penzvimbo dzekuchera mvura, vacharondedzerapo mabasa akarurama aJehovha, mabasa akarurama emisha muIsraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuwo.
  6636. Jdg 5:12 Muka, muka, Dhebhora; muka, muka, taura rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, mwanakomana waAbhinowami.
  6637. Jdg 5:13 Ipapo wakaita musiiwa kuti atonge pamusoro pemadzimambo evanhu; Jehovha wakandiita nditonge pamusoro pevane simba.
  6638. Jdg 5:14 Kubva kuna Efuremu mudzi wavo wairwisa Amareki; shure kwako Bhenjamini, pakati pevanhu vako; kubva kuna Makiri kwakaburuka vapi vemurairo, uye kubva kuna Zebhuruni avo vanokweva netsvimbo yemunyori.
  6639. Jdg 5:15 Uye machinda aIsasikari aiva naDhebhora, uye saIsasikari, wakadaro Bharaki; akatumwa pamupata netsoka dzake. Pakuparadzana kwaRubheni mirangariro yemoyo yaiva mikuru.
  6640. Jdg 5:16 Wakagarirei pakati pematanga, kunzwa kuridza muridzo kwemakwai? Pakuparadzana kwaRubheni pane kunzvera kukuru kwemoyo.
  6641. Jdg 5:17 Giriyadhi wakagara mhiri kwaJoridhani; naDhani wakagarirei pazvikepe? Asheri wakasara pamahombekombe egungwa, wakagara panopinda gungwa munyika.
  6642. Jdg 5:18 Zebhuruni rudzi rwakazvidza mweya warwo kusvika parufu, naNafutari, pakakwirira pemunda.
  6643. Jdg 5:19 Madzimambo akauya akarwa; ipapo madzimambo eKenani akarwa paTaanaki, pamvura dzeMegidho; havana kutora zvakapambiwa zvesirivha.
  6644. Jdg 5:20 Dziri kumatenga dzakarwa, nyeredzi dziri munzira yadzo dzakarwa naSisera.
  6645. Jdg 5:21 Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya weupenyu wangu, iwe wakatsika-tsika simba.
  6646. Jdg 5:22 Ipapo akarovera pasi mahwanda emabhiza nekumhanya, kuri kumhanya kwevakasimba vavo.
  6647. Jdg 5:23 Tukai Merozi, anoreva mutumwa waJehovha, tukai zvinorwadza vagari varo; nokuti havana kuuya kurubatsiro rwaJehovha, kurubatsiro rwaJehovha pavane simba.
  6648. Jdg 5:24 Ngaaropafadzwe kudarika vakadzi Jaeri, mukadzi waHebheri muKeni ngaaropafadzwe kudarika vakadzi patende.
  6649. Jdg 5:25 Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yeumambo.
  6650. Jdg 5:26 Wakatandavadza ruoko rwake pambambo, neruoko rwerudyi rwake panyundo yemubati, akarova Sisera nenyundo, akaparadza musoro wake; wakabaya akaboora chavovo chake.
  6651. Jdg 5:27 Pakati nepakati petsoka dzake wakakotama, akawa, akarara; pakati nepakati petsoka dzake wakakotama, akawa; paakakotama ndipo paakawira aparara.
  6652. Jdg 5:28 Mai vaSisera vakadongorera nepahwindo, vakadanidzira nepautanda hwehwindo, ndokuti: Ngoro yake inononokerei kusvika? Sei achiverengera makumbo engoro dzake?
  6653. Jdg 5:29 Vakachenjera vevakadzi vake vanokudzwa vakamupindura, naiye wakadzosera mhinduro yake achiti:
  6654. Jdg 5:30 Havana kuwana here vakagovana chakapambiwa? Musikana kana vasikana vaviri kumurume uyo neuyo; chakapambiwa chemavara-mavara kuna Sisera, chakapambiwa chemavara-mavara chakarukwa, mapandi maviri echemavara-mavara chakarukwa chemitsipa yemupambi?
  6655. Jdg 5:31 Saizvozvo ngavaparare vavengi venyu vose, Jehovha; asi ivo vanomuda ngavave sekubuda kwezuva nesimba raro! Nyika ndokuzorora makore makumi mana.
  6656. Jdg 6:1 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvakaipa pameso aJehovha; Jehovha ndokuvapa muruoko rwaMidhiani makore manomwe.
  6657. Jdg 6:2 Zvino ruoko rwaMidhiani rwakava nesimba pamusoro paIsraeri; nekuda kwaMidhiani vana vaIsraeri vakazviitira nhare dziri mumakomo, nemapako, nenhare.
  6658. Jdg 6:3 Zvino zvakaitika Israeri adzvara, kuti vakakwira vaMidhiani nevaAmareki nevana vemabvazuva, vakakwira kuvarwisa.
  6659. Jdg 6:4 Zvino vakadzika matende pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zvenyika kusvika wasvika paGaza; uye havana kusiya chekuraramisa kwaIsraeri, kana makwai, kana mombe, kana mbongoro.
  6660. Jdg 6:5 Nokuti ivo vaikwira nezvipfuwo zvavo nematende avo, vakasvika sekuzara kwemhashu pakuwanda, zvekuti ivo nemakamera avo vaiva vasingaverengeki; zvino vakapinda munyika kuiparadza.
  6661. Jdg 6:6 Zvino Israeri wakava murombo kwazvo nekuda kwaMidhiani. Vana vaIsraeri ndokuchema kuna Jehovha.
  6662. Jdg 6:7 Zvino zvakaitika apo vana vaIsraeri vaichema kuna Jehovha nekuda kwaMidhiani,
  6663. Jdg 6:8 kuti Jehovha wakatuma muporofita kuvana vaIsraeri; iye wakati kwavari: Anoreva saizvozvi Jehovha Mwari waIsraeri: Ini ndakakukwidzai kubva paEgipita, nekukubudisai kubva paimba yeuranda;
  6664. Jdg 6:9 ndikakununurai kubva muruoko rwevaEgipita, nemuruoko rwevose vaikudzvinyirira, uye ndakavadzinga pamberi penyu, ndokukupai nyika yavo;
  6665. Jdg 6:10 ndikati kwamuri: Ndini Jehovha Mwari wenyu; musatya vamwari vevaAmori vamugere munyika yavo; asi hamuna kuteerera kuinzwi rangu.
  6666. Jdg 6:11 Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, ndokugara pazasi pemuouki waiva paOfira, waiva waJoashi muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake waipura gorosi pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nekuda kwevaMidhiani.
  6667. Jdg 6:12 Zvino mutumwa waJehovha wakaonekwa kwaari, ndokuti kwaari: Jehovha anewe, iwe murume ane simba neumhare.
  6668. Jdg 6:13 Gidheoni wakati kwaari: Haiwa, ishe wangu, kana Jehovha anesu, izvi zvose zvakagotiwirirei? Ko zviripi zvishamiso zvake zvose madzibaba edu zvaakatiudza achiti: Jehovha haana kutikwidza here kubuda muEgipita? Asi ikozvino Jehovha wakatisiya, ndokutipa muruoko rwevaMidhiani.
  6669. Jdg 6:14 Zvino Jehovha wakatendeukira kwaari ndokuti: Enda nesimba rako iri, unosunungura Israeri paruoko rwevaMidhiani. Handisi ndakakutuma here?
  6670. Jdg 6:15 Zvino wakati kwaari: Haiwa, ishe wangu, ndichasunungura Israeri nei? Tarirai mhuri yangu varombo kwaManase, neni ndiri mudiki muimba yababa vangu.
  6671. Jdg 6:16 Jehovha ndokuti kwaari: Nokuti ndichava newe, zvino ucharova vaMidhiani vaite semunhu umwe.
  6672. Jdg 6:17 Zvino wakati kwaari: Kana ndawana hangu nyasha pameso enyu, zvino ndiratidzei chiratidzo kuti ndimwi munotaura neni.
  6673. Jdg 6:18 Regai henyu kubva pano, kusvika ndauya kwamuri, ndibudise chipo changu, ndigochiisa pamberi penyu. Iye ndokuti: Ini ndichagara kusvika pakudzoka kwako.
  6674. Jdg 6:19 Zvino Gidheoni wakapinda ndokugadzira mbudzana yembudzi nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa yeupfu; akaisa nyama mudengu, nemuto wakadira muhari; ndokuzvibudisira kwaari pazasi pemuouki, ndokuzviswededza.
  6675. Jdg 6:20 Zvino mutumwa waJehovha wakati kwaari: Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa ugozviisa padombo iri, ugodurura muto. Iye ndokuita saizvozvo.
  6676. Jdg 6:21 Zvino mutumwa waJehovha ndokutandavadza muromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake, ndokugunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Zvino moto wakasimuka kubva padombo ndokupedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokuenda kubva pameso ake.
  6677. Jdg 6:22 Zvino Gidheoni wakaona kuti waiva mutumwa waJehovha. Gidheoni ndokuti: Ndine nhamo, Ishe wangu Jehovha! Nekuda kwekuti ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso.
  6678. Jdg 6:23 Asi Jehovha wakati kwaari: Rugare kwauri, usatya, haungafi.
  6679. Jdg 6:24 Gidheoni ndokuvakirapo Jehovha aritari, ndokuitumidza kuti Jehovha-Sharomi; ichiripo paOfura revaAbhiezeri kusvika nhasi.
  6680. Jdg 6:25 Zvino zvakaitika usiku ihwohwo, kuti Jehovha wakati kwaari: Tora nzombe diki yemombe iri yababa vako, iya nzombe diki yechipiri yemakore manomwe, uputse aritari yaBhaari iri yababa vako, utemewo danda rekunamata naro riri pasi payo.
  6681. Jdg 6:26 Uvakire Jehovha Mwari wako aritari pamusoro wenhare iyi, neurongwa, ugotora nzombe diki yechipiri, ugopa chipo chinopiswa nehuni dzedanda rekunamata naro rauchatema.
  6682. Jdg 6:27 Zvino Gidheoni wakatora varume gumi kuvaranda vake ndokuita Jehovha sezvaakataura kwaari; asi zvakaitika nekuda kwekuti wakatya veimba yababa vake nevarume veguta kuzviita masikati, wakazviita usiku.
  6683. Jdg 6:28 Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani-ngwanani, tarira, aritari yaBhaari yaputswa, nedanda rekunamata naro raiva pasi payo ratemwa, nenzombe diki yechipiri yakapiwa paaritari yaiva yavakwa.
  6684. Jdg 6:29 Zvino vakati umwe kune umwe: Ndiani wakaita chinhu ichi? Vakati vachinzvera nekubvunzisisa vakati: Gidheoni mwanakomana waJoashi waita chinhu ichi.
  6685. Jdg 6:30 Zvino varume veguta vakati kuna Joashi: Budisa mwanakomana wako kuti afe, nokuti waputsa aritari yaBhaari, uye nokuti watema danda rekunamata naro raiva pasi payo.
  6686. Jdg 6:31 Asi Joashi wakati kuna vose vaiva vamire vachimupikisa: Imwi mucharwira Bhaari kanhi? Kana imwi mumuponese? Anomurwira uchaurawa achiri mangwanani. Kana ari mwari, ngaazvirwire amene, nokuti aritari yake yaputswa.
  6687. Jdg 6:32 Naizvozvo nezuva iroro wakamutumidza Jerubhaari, achiti: Bhaari ngaarwe naye, nokuti wakaputsa aritari yake.
  6688. Jdg 6:33 Zvino vaMidhiani vose nevaAmareki nevana vemabvazuva vakaungana pamwe, ndokuyambuka, ndokudzika matende pamupata weJezireeri.
  6689. Jdg 6:34 Asi Mweya waJehovha wakafukidza Gidheoni, iye ndokuridza hwamanda, VaAbhiezeri ndokuunganidzwa shure kwake.
  6690. Jdg 6:35 Zvino wakatuma nhume pakati paManase wose, ivowo vakadanwa shure kwake. Akatumawo nhume kuna Asheri nekuna Zebhuruni nekuna Nafutari, ivo ndokukwira kusangana navo.
  6691. Jdg 6:36 Gidheoni ndokuti kuna Mwari: Kana muchaponesa Israeri neruoko rwangu, sezvamakataura,
  6692. Jdg 6:37 tarirai, ndichaisa dehwe rine makushe egwai paburiro; kana kukava nedova padehwe chete, asi pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti muchaponesa Israeri neruoko rwangu sezvamakataura.
  6693. Jdg 6:38 Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani-ngwanani ndokumbundanidza dehwe, akasvina dova padehwe, mbiya izere nemvura.
  6694. Jdg 6:39 Zvino Gidheoni wakati kuna Mwari: Kutsamwa kwenyu kurege kundipfutira, ndichataura ikozvino chete, ndiidze hangu ikozvino chete nedehwe; ngapave hapo pakaoma padehwe chete, asi pasi pose pave nedova.
  6695. Jdg 6:40 Mwari ndokuita saizvozvo usiku uhwo; nokuti pakava pakaoma padehwe chete, asi dova raiva riri pasi pose.
  6696. Jdg 7:1 Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, nevanhu vose vaiva naye vakamuka mangwanani, ndokudzika matende patsime reHarodhi; musasa waMidhiani ndokuva nechekumaodzanyemba kwake, pachikomo cheMore pamupata.
  6697. Jdg 7:2 Jehovha ndokuti kuna Gidheoni: Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndipe vaMidhiani muruoko rwavo; zvimwe Israeri angazvikudza pamberi pangu achiti: Ruoko rwangu rwakandiponesa.
  6698. Jdg 7:3 Naizvozvo ikozvino paridza hako munzeve dzevanhu uchiti: Ani nani anotya neanodedera, ngaadzoke, abve pagomo reGiriyadhi. Zvino zvuru makumi maviri nezviviri zvakadzoka pavanhu, ndokusara zvuru gumi.
  6699. Jdg 7:4 Ipapo Jehovha ndokuti kuna Gidheoni: Vanhu vachiri vakawandisa; vaburusire kumvura, ndivaidzire iwe ipapo; zvino zvichaitika kune wandichati pamusoro pake kwauri: Uyu achaenda newe; ndiye achaenda newe; asi ani nani wandichati pamusoro pake: Uyu haangaendi newe; iye haangaendi.
  6700. Jdg 7:5 Zvino wakaburusira vanhu kumvura. Jehovha ndokuti kuna Gidheoni: Ani nani anokapa pamvura nerurimi rwake sembwa inokapa, uchamuisa pake ega; uye ani nani anofugama nemabvi ake kunwa.
  6701. Jdg 7:6 Zvino uwandu hwevaiva vakapa neruoko rwavo kumuromo wavo vaiva varume mazana matatu; asi vose vamwe vevanhu vakafugama pamabvi avo kunwa mvura.
  6702. Jdg 7:7 Zvino Jehovha wakati kuna Gidheoni: Nevarume mazana matatu vakakapa ndichakuponesai, uye ndichapa vaMidhiani muruoko rwako; zvino endesa vanhu vose, umwe neumwe kunzvimbo yake.
  6703. Jdg 7:8 Naizvozvo vanhu vakatora mbuva muruoko rwavo, nehwamanda dzavo; zvino wakaendesa varume vose vaIsraeri, umwe neumwe kutende rake, asi wakachengeta varume mazana matatu. Zvino musasa waMidhiani waiva pazasi pake mumupata.
  6704. Jdg 7:9 Zvino zvakaitika usiku ihwohwo kuti Jehovha wakati kwaari: Simuka, burukira kumusasa, nokuti ndaupa muruoko rwako.
  6705. Jdg 7:10 Asi kana uchitya kuburuka, buruka iwe naPura muranda wako kuenda kumusasa.
  6706. Jdg 7:11 Zvino uchanzwa zvavanotaura; uye shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa ugoburukira kumusasa. Zvino wakaburuka iye naPura muranda wake kusvika kumapeto evarwi vaiva pamusasa.
  6707. Jdg 7:12 Zvino vaMidhiani nevaAmareki nevana vose vekumabvazuva vaiva varere mumupata semhashu pakuwanda; nemakamera avo aiva asingaverengeki, sejecha riri pamahombekombe egungwa pakuwanda.
  6708. Jdg 7:13 Gidheoni wakati achisvika, zvino tarira, munhu achirondedzera hope kushamwari yake, ndokuti: Tarira, ndarota hope, zvino tarira, keke rechingwa chebhari richikungurukira kumusasa waMidhiani, zvino rakasvika patende ndokurirova ndokuwa; ndokuripidigura kutarira kumusoro zvekuti tende rakawa.
  6709. Jdg 7:14 Shamwari yake ndokupindura ndokuti: Ichi hachizi chimwe chinhu kunze kwemunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi murume waIsraeri; Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.
  6710. Jdg 7:15 Zvino zvakaitika Gidheoni paakanzwa kurondedzerwa kwehope uye dudziro yayo kuti wakanamata; ndokudzokera kumusasa waIsraeri ndokuti: Simukai, nokuti Jehovha wakapa musasa waMidhiani muruoko rwenyu.
  6711. Jdg 7:16 Zvino akaparadzanisa varume mazana matatu kuita mapoka matatu, ndokuisa hwamanda muruoko rwewose wavo pamwe nezvirongo zvisina chinhu, nemwenje mizhinji mukati mezvirongo.
  6712. Jdg 7:17 Zvino wakati kwavari: Nditarirei, mugoita seizvi; zvino tarirai, kana ndichisvika kumacheto kwemusasa, zvichadai sezvandinoita, muite saizvozvo.
  6713. Jdg 7:18 Kana ndichiridza hwamanda ini nevose vandinavo, ipapo nemwi mucharidza hwamanda kupoteredza musasa wose, muti: Munondo waJehovha newaGidheoni!
  6714. Jdg 7:19 Naizvozvo Gidheoni nevarume zana vaaiva navo vakasvika kumucheto wemusasa pakutanga kwemurindiro weusiku wepakati, vachangomisa varindi; ndokuridza hwamanda, vachiputsawo zvirongo zvaiva mumaoko avo.
  6715. Jdg 7:20 Zvino mapoka matatu akaridza hwamanda, ndokuputsa zvirongo, ndokubata mwenje muruoko rwavo rweruboshwe, nehwamanda dzekuridza muruoko rwavo rwerudyi, ndokudanidzira vachiti: Munondo waJehovha newaGidheoni!
  6716. Jdg 7:21 Zvino vakamira umwe neumwe panzvimbo yake vakapoteredza musasa; musasa wose ndokumhanya, ndokudanidzira ndokutiza.
  6717. Jdg 7:22 Ipapo zvuru zvitatu zvikaridza hwamanda, Jehovha ndokumisa munondo weumwe neumwe kurwisana neshamwari yake, uye mumusasa wese; musasa ndokutiza kusvika paBheti-Shita kuZererati, kusvika kumuganhu weAbheri-Mehora, pedo neTabhati.
  6718. Jdg 7:23 Zvino varume vaIsraeri vakadanirwa pamwe kubva kwaNafutari nekwaAsheri nekwaManase wose, ndokudzingirirana naMidhiani.
  6719. Jdg 7:24 Gidheoni ndokutuma nhume pagomo rose raEfuremu achiti: Burukai muchingamidze vaMidhiani, muvatangire kutapa mvura kusvika paBheti-Bhara neJoridhani. Ipapo varume vose vaEfuremu vakadanirwa pamwe chete, ndokutapa mvura kusvika paBheti-Bhara neJoridhani.
  6720. Jdg 7:25 Zvino vakatapa vaviri vemachinda aMidhiani, Orebhi naZeebhi, ndokuuraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, ndokudzingirira Midhiani; uye misoro yaOrebhi naZeebhi vakauya nayo kuna Gidheoni mhiri kwaJoridhani.
  6721. Jdg 8:1 Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari: Chii chinhu ichi chawaita kwatiri, kuti hauna kutidana kana uchienda kunorwa naMidhiani? Vakapokana naye zvine simba.
  6722. Jdg 8:2 Iye ndokuti kwavari: Ndaitei ikozvino chingaenzaniswa nezvenyu? Kufuhurura kwaEfuremu hakuna kunaka kupfuura goho remazambiringa raAbhiezeri here?
  6723. Jdg 8:3 Mwari wakapa muruoko rwenyu machinda aMidhiani, Orebhi naZeebhi; ndaigona kuiteiwo semwi? Zvino kutsamwa kwavo kwakaserera kubva kwaari paaitaura shoko iri.
  6724. Jdg 8:4 Zvino Gidheoni wakasvika paJoridhani, akayambuka, iye nevarume mazana matatu vaiva naye; vaneta asi vachidzingirira.
  6725. Jdg 8:5 Zvino wakati kuvarume veSukoti: Ipai henyu vanhu vari patsoka dzangu mabumburu ezvingwa, nokuti vaneta, zvino ndinodzingirira shure kwaZebha naZarimuna madzimambo aMidhiani.
  6726. Jdg 8:6 Zvino machinda eSukoti akati: Chanza chaZebha naZarimuna ikozvino chiri muruoko rwako here, kuti tipe hondo yako chingwa?
  6727. Jdg 8:7 Gidheoni ndokuti: Naizvozvo kana Jehovha akapa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ipapo ndichapura nyama yenyu neminzwa yemurenje uye nerukato.
  6728. Jdg 8:8 Zvino wakakwira kubvapo kuenda kuPenueri, ndokutaura kwavari saizvozvo. Varume vePenueri ndokumupindura varume veSukoti sezvavakapindura.
  6729. Jdg 8:9 Akataurawo kuvarume vePenueri achiti: Pakudzoka kwangu nerugare, ndichaputsa shongwe iyi.
  6730. Jdg 8:10 Zvino Zebha naZarimuna vaiva muKarikori nemisasa yavo inavo, vanenge zvuru gumi nezvishanu; vose vaiva vasara pamusasa wose wevana vekumabvazuva; nokuti kwakawa varume zvuru makumi matatu vaivhomora munondo.
  6731. Jdg 8:11 Gidheoni ndokukwira nenzira yevaigara mumatende, kumabvazuva kweNobha neJogobheha, ndokurova musasa, nokuti musasa waiva usingatarisiri.
  6732. Jdg 8:12 Zvino Zebha naZarimuna vakatiza, iye ndokuvadzingirira, ndokutapa madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, ndokuvhundusa musasa wose.
  6733. Jdg 8:13 Zvino Gidheoni mwanakomana waJoashi wakadzoka kubva kuhondo kubva pamukwidza weHeresi.
  6734. Jdg 8:14 Zvino wakabata jaya revarume veSukoti ndokuribvunza; iro ndokumunyorera machinda eSukoti nevakuru vayo, varume makumi manomwe nevanomwe.
  6735. Jdg 8:15 Zvino wakasvika kuvarume veSukoti ndokuti: Tarirai, Zebha naZarimuna vamaindiseka pamusoro pavo muchiti: Chanza chaZebha naZarimuna ikozvino chiri muruoko rwako here, kuti tipe varume vako vaneta chingwa?
  6736. Jdg 8:16 Zvino wakatora vakuru veguta, neminzwa yemurenje nerukato, ndokudzidzisa varume veSukoti nazvo.
  6737. Jdg 8:17 Neshongwe yePenueri wakaputsa, ndokuuraya varume veguta.
  6738. Jdg 8:18 Zvino wakati kuna Zebha nekuna Zarimuna: Varume vakadini vamakauraya paTabhori? Ivo ndokuti: Semwi vaiva vakadaro; umwe neumwe sechimiro chevana vamambo.
  6739. Jdg 8:19 Iye ndokuti: Vaiva vanin’ina vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vachirarama, ndingadai ndisina kukuurayai.
  6740. Jdg 8:20 Zvino wakati kuna Jeteri dangwe rake: Simuka uvauraye. Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nokuti rakatya, nokuti waiva achiri jaya.
  6741. Jdg 8:21 Zebha naZarimuna ndokuti: Simukai imwi, mugowira pamusoro pedu, nokuti sezvakaita murume rakadaro simba rake. Gidheoni ndokusimuka, ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokutora zvakaita semwedzi zvaiva pamitsipa yemakamera avo.
  6742. Jdg 8:22 Zvino varume vaIsraeri vakati kuna Gidheoni: Mutitonge mose imwi nemwanakomana wenyu nemwanakomana wemwanakomana wenyu, nokuti makatiponesa paruoko rwevaMidhiani.
  6743. Jdg 8:23 Gidheoni ndokuti kwavari: Ini handingakutongii, kunyange mwanakomana wangu haangakutongii; Jehovha achakutongai.
  6744. Jdg 8:24 Zvino Gidheoni wakati kwavari: Regai ndikumbire chikumbiro kwamuri; ndipei umwe neumwe mhete yechakapambiwa chake. Nokuti vaiva nemhete dzegoridhe, nokuti vaiva VaIshimaeri.
  6745. Jdg 8:25 Zvino vakati: Tichapa kwazvo. Zvino vakawarira nguvo, ndokukandirapo umwe neumwe mhete yechakapambiwa chake.
  6746. Jdg 8:26 Zvino uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwaiva mashekeri churu nemazana manomwe egoridhe; kusingaverengwi zvakaita semwedzi nezviremberedzwa nenguvo dzeruvara rwehute dzaiva pamadzimambo aMidhiani, uye kusingaverengwi uketani hwaiva pamitsipa yemakamera avo.
  6747. Jdg 8:27 Zvino Gidheoni wakaita efodhi nazvo, ndokuiisa muguta rake, paOfura. Zvino vaIsraeri vose vakafeva vachiitevera ipapo. Ukava musungo kuna Gidheoni nekune veimba yake.
  6748. Jdg 8:28 Saizvozvo vaMidhiani vakawisirwa pasi pamberi pevana vaIsraeri, havana kuzosimudzazve musoro wavo. Nyika ndokuva nerunyararo makore makumi mana pamazuva aGidheoni.
  6749. Jdg 8:29 Zvino Jerubhaari mwanakomana waJoashi wakaenda ndokugara mumba make.
  6750. Jdg 8:30 Zvino Gidheoni waiva nevanakomana makumi manomwe vakabuda muchiuno chake, nokuti waiva nevakadzi vazhinji.
  6751. Jdg 8:31 Zvino murongo wake waiva paShemi wakamuberekerawo mwanakomana, iye ndokutumidza zita rake Abhimereki.
  6752. Jdg 8:32 Gidheoni mwanakomana waJoashi ndokufa akwegura zvakanaka; akavigwa muguva raJoashi baba vake paOfura revaAbhiezeri.
  6753. Jdg 8:33 Zvino zvakaitika Gidheoni paakafa kuti vana vaIsraeri vakadzokera shure ndokufeva vachitevera vana Bhaari; vakaita Bhaari-Bheriti kuva mwari wavo.
  6754. Jdg 8:34 Uye vana vaIsraeri havana kurangarira Jehovha Mwari wavo wakavanunura kubva muruoko rwevavengi vavo vose kumativi ose.
  6755. Jdg 8:35 Uye havana kuita ngoni kuimba yaJerubhaari, anova Gidheoni, sezvose zvakanaka zvaakaita kuna Israeri.
  6756. Jdg 9:1 Zvino Abhimereki mwanakomana waJerubhaari wakaenda kuShekemu kuhama dzamai vake, ndokutaura kwavari nekumhuri yose yeimba yababa vamai vake, achiti:
  6757. Jdg 9:2 Taurirai henyu munzeve dzevagari vose veShekemu, muti: Chakakunakirai ndechipi, kuti vanakomana vose vaJerubhaari vari vanhu makumi manomwe vakutongei, kana kuti munhu umwe akutongei? Rangariraiwo kuti ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.
  6758. Jdg 9:3 Zvino hama dzamai vake dzakataura nezvake munzeve dzevagari vose veShekemu mashoko ose awa; moyo yavo ikarerekera kutevera Abhimereki, nokuti vakati: Ihama yedu.
  6759. Jdg 9:4 Zvino vakamupa zvimedu zvesirivha makumi manomwe kubva paimba yaBhaari-Bheriti; Abhimereki akahaya nawo varume vasina maturo uye vasina hanya vaimutevera.
  6760. Jdg 9:5 Zvino wakaenda kumba kwababa vake paOfura ndokuuraya vana vababa vake vanakomana vaJerubhaari, varume makumi manomwe pabwe rimwe; asi Jotamu mwanakomana mudikisa waJerubhaari wakasara, nokuti wakavanda.
  6761. Jdg 9:6 Zvino vagari vose veShekemu nevose veBheti-Miro vakaungana pamwe, vakafamba vakaita Abhimereki ave mambo pamuouki wakamiswa uri paShekemu.
  6762. Jdg 9:7 Pavakaudza Jotamu, wakaenda ndokunomira pamusoro wegomo Gerizimi, ndokusimudza inzwi rake ndokudanidzira ndokuti kwavari: Ndinzwei, vagari veShekemu, kuti Mwari akunzwei.
  6763. Jdg 9:8 Miti yakaenda zvekuenda kunozvizodzera mambo; ndokuti kumuorivhi: Titonge.
  6764. Jdg 9:9 Asi muorivhi wakati kwairi: Ndichasiya mafuta angu, avanorumbidza neni Mwari nevanhu, ndokuenda kupepereka uko neuko pamusoro pemiti here?
  6765. Jdg 9:10 Zvino miti yakati kumuonde: Uya iwe utitonge.
  6766. Jdg 9:11 Asi muonde wakati kwairi: Ndichasiya kutapira kwangu nemuchero wangu wakanaka, ndokuenda kupepereka uko neuko pamusoro pemiti here?
  6767. Jdg 9:12 Zvino miti ikati kumuzambiringa: Uya iwe utitonge.
  6768. Jdg 9:13 Muzambiringa ndokuti kwairi: Ndichasiya waini yangu itsva inofadza Mwari nevanhu, ndokuenda kupepereka uko neuko pamusoro pemiti here?
  6769. Jdg 9:14 Zvino miti yose yakati kurukato: Uya iwe utitonge.
  6770. Jdg 9:15 Rukato ndokuti kumiti: Kana muchokwadi mukandizodza kuva mambo pamusoro penyu, uyai mutsvage uvando pamumvuri wangu; asi kana zvisina kudaro, moto uchabuda murukato ndokuparadza misidhari yeRebhanoni.
  6771. Jdg 9:16 Naizvozvo ikozvino, kana makaita muchokwadi uye mukutendeka, kuti makaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka pana Jerubhaari uye paimba yake, uye kana makaita kwaari zvichienderana nezvakafanira zvemaoko ake;
  6772. Jdg 9:17 nokuti baba vangu vakakurwirai, uye vakarasira upenyu hwavo kure, ndokukusunungurai kubva paruoko rwaMidhiani;
  6773. Jdg 9:18 asi imwi mamukira imba yababa vangu nhasi, uye mauraya vanakomana vavo, varume makumi manomwe, pabwe rimwe, ndokuita Abhimereki mwanakomana wemurandakadzi wake mambo pamusoro pevagari veShekemu, nokuti ihama yenyu;
  6774. Jdg 9:19 zvino kana muchokwadi uye mukutendeka makaitira Jerubhaari neimba yake zuva rino, farirai Abhimereki, naiye akufarireiwo.
  6775. Jdg 9:20 Asi kana zvisina kudaro, moto ngaubude kubva kuna Abhimereki, zvino uparadze vagari veShekemu neBheti-Miro; uye moto ngaubude kubva kuvagari veShekemu neBheti-Miro, ugoparadza Abhimereki.
  6776. Jdg 9:21 Jotamu ndokupukunyuka ndokutiza, ndokuenda kuBheeri, ndokugarako nekuda kwaAbhimereki mukoma wake.
  6777. Jdg 9:22 Abhimereki ndokutonga pamusoro paIsraeri makore matatu.
  6778. Jdg 9:23 Zvino Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki nevagari veShekemu; vagari veShekemu ndokunyengera Abhimereki;
  6779. Jdg 9:24 kuti chisimba chakaitirwa vanakomana vaJerubhaari makumi manomwe chiuye, neropa ravo riiswe pamusoro paAbhimereki munin’ina wavo wakavauraya, nepamusoro pevagari veShekemu vaiva vasimbisa maoko ake kuuraya vana vababa vake.
  6780. Jdg 9:25 Zvino vagari veShekemu vakamuisira vavandiri pamisoro yemakomo, ndokupamba vose vaipfuura kwavari nenzira iyo; Abhimereki ndokuzviudzwa.
  6781. Jdg 9:26 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi wakauya nehama dzake, ndokupfuurira kuShekemu; vagari veShekemu vakavimba naye.
  6782. Jdg 9:27 Zvino vakabudira kuminda ndokutanha minda yavo yemizambiringa ndokutsika-tsika, vakaita rumbidzo, ndokupinda muimba yamwari wavo, vakadya, vakanwa, vakatuka Abhimereki.
  6783. Jdg 9:28 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi wakati: Abhimereki ndiani, uye Shekemu ndiani, kuti timushumire? Haasi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haasi munyai wake here? Shandirai varume vaHamori baba vaShekemu. Nokuti isu tichamushandirirei?
  6784. Jdg 9:29 Haiwa, dai vanhu ava vaiva muruoko rwangu, ndaibvisa Abhimereki. Zvino wakati kuna Abhimereki: Wedzera hondo yako, ubude.
  6785. Jdg 9:30 Zvino Zebhuri mubati weguta, wakati achinzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, kutsamwa kwake kwakapfuta.
  6786. Jdg 9:31 Zvino wakatuma nhume kuna Abhimereki nekunyengera achiti: Tarira, Gaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; zvino tarira, vanosimbisa guta kurwa newe.
  6787. Jdg 9:32 Zvino ikozvino simuka usiku, iwe nevanhu vanewe, muvandire musango.
  6788. Jdg 9:33 Zvino zvichaitika mangwanani, pakubuda kwezuva, uchamuka mangwanani ugonovamba guta; zvino tarira iye nevanhu vanaye pavachabuda kukurwisa, iwe uchaita kwaari ruoko rwako sezvarwuchawana.
  6789. Jdg 9:34 Zvino Abhimereki wakasimuka nevanhu vose vaiva naye, usiku, ndokuvandira Shekemu nemapoka mana.
  6790. Jdg 9:35 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi wakabuda ndokumira pamukova wesuwo reguta; Abhimereki ndokusimuka, nevanhu vaiva vanaye pakuvandira.
  6791. Jdg 9:36 Zvino Gaari wakati achiona vanhu, wakati kuna Zebhuri: Tarira, vanhu vanoburuka kubva kunhongonya yemakomo. Zebhuri ndokuti kwaari: Unoona mumvuri wemakomo kuita sevanhu.
  6792. Jdg 9:37 Gaari ndokubva achitaurazve akati: Tarira, kunoburuka vanhu kubva pakati penyika, nerimwe boka rinouya richibva nenzira yemuouki weMeonenimi.
  6793. Jdg 9:38 Zebhuri ndokuti kwaari: Zvino muromo wako wavepi zvawakati: Abhimereki ndiani kuti timushandire? Ava havasi vanhu avo vawakazvidza here? Buda hako ikozvino unorwa navo.
  6794. Jdg 9:39 Gaari ndokubuda pamberi pevagari veShekemu, ndokurwa naAbhimereki.
  6795. Jdg 9:40 Zvino Abhimereki wakamudzingirira, iye ndokutiza pachiso chake; vazhinji vakawa vakakuvara kusvika pamukova wesuwo.
  6796. Jdg 9:41 Abhimereki ndokugara paAruma; Zebhuri ndokudzinga Gaari nehama dzake, kuti vasagara paShekemu.
  6797. Jdg 9:42 Zvino zvakaitika kuchinoedza kuti vanhu vakabuda kuenda kusango; ndokuudza Abhimereki.
  6798. Jdg 9:43 Iye ndokutora vanhu ndokuvakamura kuva mapoka matatu, ndokuvandira musango; ndokuona, zvino tarira, vanhu vachibuda muguta, akavasimukira, akavarova.
  6799. Jdg 9:44 Zvino Abhimereki nemapoka aiva naye vakamhanya vakanomira pamukova wesuwo reguta; nemapoka maviri akamhanyira kune vose vaiva musango, ndokuvauraya.
  6800. Jdg 9:45 Zvino Abhimereki wakarwa neguta zuva iro rose, ndokutapa guta, ndokuuraya vanhu vaivamo; ndokuputsira guta pasi, ndokurikusha munyu.
  6801. Jdg 9:46 Zvino vagari vose veshongwe yeShekemu pavakazvinzwa, vakapinda munhare yeimba yaEri-Bheriti.
  6802. Jdg 9:47 Zvino zvakaziviswa Abhimereki kuti vagari vose veshongwe yeShekemu vaungana pamwe.
  6803. Jdg 9:48 Abhimereki ndokukwira kugomo reZarimoni, iye nevanhu vose vaiva naye; Abhimereki ndokutora sanhu muruoko rwake, ndokutema davi remiti, akarisimudza ndokuriisa pafudzi rake; ndokuti kuvanhu vaiva naye: Zvamaona ndichiita, kurumidzai, muite seni.
  6804. Jdg 9:49 Naizvozvo vanhu vose vakatemawo umwe neumwe davi rake, ndokutevera Abhimereki, ndokuisa munhare; zvino vakatungidza nhare nemoto pamusoro pavo, kusvika vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu vafawo, vanenge varume nevakadzi churu.
  6805. Jdg 9:50 Zvino Abhimereki wakaenda kuTebhezi, ndokumisa musasa pakatarisana neTebhezi, akaritapa.
  6806. Jdg 9:51 Asi kwaiva neshongwe yakasimba mukati meguta, uye varume nevakadzi vose vakatizirako, uye vose vagari veguta, vakazvipfigiramo, ndokukwira kudenga reshongwe.
  6807. Jdg 9:52 Zvino Abhimereki wakasvika pashongwe, ndokurwa nayo, akaswedera pedo nemukova weshongwe, kuti aipise nemoto.
  6808. Jdg 9:53 Zvino umwe mukadzi wakakanda bandi reguyo pamusoro waAbhimereki ndokuputsa dehenya rake.
  6809. Jdg 9:54 Zvino wakakurumidza kudana jaya raitakura zvombo zvake, ndokuti kwariri: Vhomora munondo wako ugondiuraya, zvimwe vangati pamusoro pangu: Mukadzi wakamuuraya. Jaya rake ndokumubaya, ndokufa.
  6810. Jdg 9:55 Varume vaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki wafa, vakaenda umwe neumwe kunzvimbo yake.
  6811. Jdg 9:56 Saizvozvo Mwari wakatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaitira baba vake, pakuuraya vana vababa vake makumi manomwe.
  6812. Jdg 9:57 Nekuipa kose kwevagari veShekemu Mwari wakatsiva pamusoro wavo; uye kutuka kwaJotamu mwanakomana waJerubhaari kwakauya pavari.
  6813. Jdg 10:1 Shure kwaAbhimereki kwakamuka Tora mwanakomana waPua mwanakomana waDhodho murume waIsasikari kuponesa Israeri; iye waigara paShamiri panyika yemakomo yaEfuremu.
  6814. Jdg 10:2 Zvino iye wakatonga Israeri makore makumi maviri nematatu, ndokufa; ndokuvigwa paShamiri.
  6815. Jdg 10:3 Zvino shure kwake kwakamuka Jairi muGiriyadhi ndokutonga Israeri makore makumi maviri nemaviri.
  6816. Jdg 10:4 Zvino waiva nevanakomana makumi matatu vaitasva makumi matatu evana vembongoro, uye vaiva nemaguta makumi matatu anonzi Havhori-Jairi kusvika nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.
  6817. Jdg 10:5 Jairi ndokufa, ndokuvigwa paKamoni.
  6818. Jdg 10:6 Zvino vana vaIsraeri vakaitazve chakaipa pameso aJehovha, ndokushumira vana Bhaari nevaAshitaroti nevamwari vaSiriya nevamwari vaSidhoni nevamwari vaMoabhu nevamwari vevana vaAmoni nevamwari vevaFirisitia; ndokusiya Jehovha, uye havana kumushumira.
  6819. Jdg 10:7 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, iye ndokuvatengesa muruoko rwevaFirisitia nemuruoko rwevana vaAmoni.
  6820. Jdg 10:8 Zvino negore iro ivo vakanetsa nekupwanya vana vaIsraeri, makore gumi nemasere, vose vana vaIsraeri vaiva mhiri kwaJoridhani munyika yevaAmori, yaiva muGiriyadhi.
  6821. Jdg 10:9 Uye vana vaAmoni vakayambuka Joridhani kuti varwe kunyange naJudha uye naBhenjamini uye neimba yaEfuremu; naizvozvo Israeri wakamanikidzika kwazvo.
  6822. Jdg 10:10 Zvino vana vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vachiti: Takatadza kwamuri, uye nokuti takasiya Mwari wedu ndokushumira vana Bhaari.
  6823. Jdg 10:11 Jehovha ndokuti kuvana vaIsraeri: Handina kukuponesai here pavaEgipita nepavaAmori nepavana vaAmoni nepavaFirisitia?
  6824. Jdg 10:12 VaSidhoniwo nevaAmareki nevaMaoni vakakumanikidzai. Zvino mukachema kwandiri; ini ndokukusunungurai paruoko rwavo.
  6825. Jdg 10:13 Zvakadaro imwi makandisiya ndokushumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.
  6826. Jdg 10:14 Endai munochema kuna vamwari vamakasarudza; ivo ngavakuponesei panguva yedambudziko renyu.
  6827. Jdg 10:15 Zvino vana vaIsraeri vakati kuna Jehovha: Takatadza; imwi tiitirei zvichienderana nezvose zvakanaka pameso enyu; koga tisunungurei henyu nhasi.
  6828. Jdg 10:16 Zvino vakabvisa vamwari vevatorwa kubva pakati pavo ndokushumira Jehovha; mweya weupenyu wake ndokushungurudzika nedambudziko raIsraeri.
  6829. Jdg 10:17 Zvino kwakadanirwa pamwe vana vaAmoni, ndokudzika matende paGiriyadhi. Vana vaIsraeri vakaunganawo pamwe, ndokudzika matende paMizipa.
  6830. Jdg 10:18 Zvino vanhu, machinda aGiriyadhi vakati umwe kune umwe: Ndiani munhu achatanga kurwa nevana vaAmoni? Achava musoro pavagari vose veGiriyadhi.
  6831. Jdg 11:1 Zvino Jefuta muGiriyadhi waiva munhu ane simba neumhare, uye waiva mwanakomana wemukadzi chifeve; Giriyadhi ndiye akabereka Jefuta.
  6832. Jdg 11:2 Zvino mukadzi waGiriyadhi wakamuberekera vanakomana; vanakomana vemukadzi vakati vakura vakadzinga Jefuta ndokuti kwaari: Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nokuti uri mwanakomana weumwe mukadzi.
  6833. Jdg 11:3 Jefuta ndokutiza kubva kuvanin’ina vake, ndokugara panyika yeTobhi. Varume vasina maturo ndokuunganira Jefuta, ndokubuda naye.
  6834. Jdg 11:4 Zvino zvakaitika shure kwemazuva kuti vana vaAmoni vakarwa naIsraeri.
  6835. Jdg 11:5 Ndokuitika kuti vana vaAmoni vorwa naIsraeri, vakuru veGiriyadhi vakaenda kunotora Jefuta panyika yeTobhi.
  6836. Jdg 11:6 Ndokuti kuna Jefuta: Uya uve mutungamiriri wedu, kuti tinorwa nevana vaAmoni.
  6837. Jdg 11:7 Jefuta ndokuti kuvakuru veGiriyadhi: Imwi hamuna kundivenga ndokundidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyirei kwandiri ikozvino kana muri pakushungurudzika?
  6838. Jdg 11:8 Zvino vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta: Naizvozvo tadzokera kwauri ikozvino, kuti uende nesu uye urwe nevana vaAmoni; zvino uchava musoro wedu pamusoro pevagari vose veGiriyadhi.
  6839. Jdg 11:9 Jefuta ndokuti kuvakuru veGiriyadhi: Kana muchindidzosera kurwa nevana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa kwandiri, ini ndichava musoro wenyu here?
  6840. Jdg 11:10 Vakuru veGiriyadhi ndokuti kuna Jefuta: Jehovha anonzwa pakati pedu, kana tikasaita saizvozvo zvichienderana neshoko rako.
  6841. Jdg 11:11 Zvino Jefuta wakaenda nevakuru veGiriyadhi, vanhu ndokumuita musoro nemutungamiriri pamusoro pavo; Jefuta ndokutaura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.
  6842. Jdg 11:12 Zvino Jefuta wakatuma nhume kuna mambo wevana vaAmoni achiti: Ndinei newe, kuti uuye kwandiri kuzorwa munyika yangu?
  6843. Jdg 11:13 Zvino mambo wevana vaAmoni wakati kunhume dzaJefuta: Nokuti Israeri wakatora nyika yangu pakukwira kwake kuEgipita kubva paArinoni kusvika paJabhoki uye kusvika paJoridhani; naizvozvo zvino chidzosai nyika idzo nerugare.
  6844. Jdg 11:14 Jefuta ndokutumazve zvekare nhume kuna mambo wevana vaAmoni.
  6845. Jdg 11:15 Zvino wakati kwaari: Anoreva seizvi Jefuta: Israeri haana kutora nyika yaMoabhu kana nyika yevana vaAmoni.
  6846. Jdg 11:16 Asi pavakabuda kubva muEgipita, Israeri wakafamba nemurenje kusvika paGungwa Dzvuku, wakasvika paKadheshi.
  6847. Jdg 11:17 Israeri ndokutuma nhume kuna mambo waEdhomu achiti: Regai henyu ndipfuure nepanyika yenyu; asi mambo waEdhomu haana kunzwa. Saizvozvowo wakatuma nhume kuna mambo waMoabhu, asi haana kuda. Naizvozvo Israeri wakagara paKadheshi.
  6848. Jdg 11:18 Zvino vakafamba murenje ndokupoteredza nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, ndokusvika nekunobuda nezuva kwenyika yaMoabhu, ndokudzika matende mhiri kwaArinoni; asi havana kupinda pamuganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.
  6849. Jdg 11:19 Zvino Israeri wakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, mambo weHeshibhoni, Israeri ndokuti kwaari: Regai henyu tipfuure nepanyika yenyu kuenda panzvimbo yangu.
  6850. Jdg 11:20 Asi Sihoni haana kuvimba Israeri kuti apfuure nepamuganhu wake; asi Sihoni wakaunganidza vanhu vake vose ndokudzika matende paJahazi, ndokurwa naIsraeri.
  6851. Jdg 11:21 Zvino Jehovha Mwari waIsraeri wakapa Sihoni nevanhu vake vose muruoko rwaIsraeri, Israeri ndokuvauraya; naizvozvo Israeri wakagara nhaka yenyika yose yevaAmori, vagari venyika iyo.
  6852. Jdg 11:22 Zvino vakagara nhaka yemuganhu wose wevaAmori kubva paArinoni kusvika paJabhoki, uye kubva kurenje kusvika paJoridhani.
  6853. Jdg 11:23 Zvino ikozvino Jehovha Mwari waIsraeri wakadzinga vaAmori panhaka pamberi pevanhu vake Israeri; zvino imwi muchaigara nhaka here?
  6854. Jdg 11:24 Hamungadyi nhaka yeuyo Kemoshi mwari wenyu waanodzinga panhaka here? Naizvozvo ani nani Jehovha Mwari wedu waanodzinga panhaka kubva pamberi pedu, iye tichagara nhaka yake.
  6855. Jdg 11:25 Ko zvino iwe wakanaka-naka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori mambo waMoabhu here? Iye wakatongopokana naIsraeri kana kurwa kwazvo naye here?
  6856. Jdg 11:26 Israeri paaiva agere paHeshibhoni nepamisha yaro, nepaAroeri nepamisha yaro, nepamaguta ose ari pamahombekombe eArinoni, makore mazana matatu, makaregerei kununura nenguva iyo?
  6857. Jdg 11:27 Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa nekurwa neni; Jehovha, Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pevana vaIsraeri nevana vaAmoni.
  6858. Jdg 11:28 Asi mambo wevana vaAmoni haana kuteerera kumashoko aJefuta aakatuma kwaari.
  6859. Jdg 11:29 Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, iye ndokupfuura paGiriyadhi, naManase, akapfuurawo paMizipa yeGiriyadhi, uye kubva paMizipa yeGiriyadhi wakapfuurira kuvana vaAmoni.
  6860. Jdg 11:30 Jefuta ndokupika mhiko kuna Jehovha, ndokuti: Kana mukapa kwazvo vana vaAmoni muruoko rwangu,
  6861. Jdg 11:31 ipapo zvichaitika kuti chipi nechipi chinobuda pamikova yeimba yangu kuzondichingamidza, pakudzoka kwangu nerugare kubva kuvana vaAmoni, chichava chaJehovha, ndichachipa chive chipo chinopiswa.
  6862. Jdg 11:32 Naizvozvo Jefuta wakapfuurira kuvana vaAmoni kuti arwe navo; Jehovha ndokuvapa muruoko rwake.
  6863. Jdg 11:33 Zvino wakavarova kubva paAroeri kusvika wasvika paMiniti, maguta makumi maviri, uye kusvika paAbheri-Keramimi, nekurova kukurusa. Saizvozvo vana vaAmoni vakawisirwa pasi pamberi pevana vaIsraeri.
  6864. Jdg 11:34 Zvino Jefuta wakasvika paMizipa kuimba yake, zvino tarira, mukunda wake wakabuda kunomuchingamidza, nemakandira, nekutamba. Zvino waiva ega, iye ega; kunze kwake waiva asina mwanakomana kana mwanasikana.
  6865. Jdg 11:35 Zvino zvakaitika paakamuona kuti wakabvarura nguvo dzake ndokuti: Haiwa, mukunda wangu! Iwe wandideredza kwazvo, uye iwe uri pakati pevanonditambudza; nokuti ini ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, uye handigoni kudzokera shure.
  6866. Jdg 11:36 Iye ndokuti kwavari: Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei sezvakabuda mumuromo menyu, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo pavavengi venyu, pavana vaAmoni.
  6867. Jdg 11:37 Zvino wakati kuna baba vake: Ndiitirei chinhu ichi: Ndiregei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndichemere umhandara hwangu, ini neshamwarikadzi dzangu.
  6868. Jdg 11:38 Iye ndokuti: Enda. Akamurega achienda mwedzi miviri. Zvino wakaenda, iye neshamwarikadzi dzake, akanochema umhandara hwake kumakomo.
  6869. Jdg 11:39 Zvino zvakaitika pakupera kwemwedzi miviri, kuti wakadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira mhiko yavo yavakapika; zvino iye haana kuziva murume. Zvino ikava tsika kwaIsraeri,
  6870. Jdg 11:40 gore negore vakunda vaIsraeri vanoenda kunorangarira mukunda waJefuta muGiriyadhi mazuva mana pagore.
  6871. Jdg 12:1 Zvino vanhu vaEfuremu vakadanirwa pamwe ndokuyambukira kumaodzanyemba ndokuti kuna Jefuta: Wayambukirei kunorwa nevana vaAmoni, ukasatidanawo kuenda newe? Tichapisa imba yako nemoto pamusoro pako.
  6872. Jdg 12:2 Jefuta ndokuti kwavari: Ini nevanhu vangu taiva nekupokana kukuru nevana vaAmoni; zvino ndakakudanai, asi hamuna kundinunura paruoko rwavo.
  6873. Jdg 12:3 Zvino ndakati ndaona kuti hamuna kundiponesa, ndakaisa upenyu hwangu muruoko rwangu, ndokuyambukira kuvana vaAmoni, Jehovha ndokuvapa muruoko rwangu; zvino makwirirei kwandiri nhasi kuzorwa neni?
  6874. Jdg 12:4 Zvino Jefuta wakaunganidza varume vose veGiriyadhi ndokurwa naEfuremu. Varume veGiriyadhi ndokurova Efuremu, nokuti vakati: Muri vapoteri vaEfuremu, imwi VaGiriyadhi, pakati pevaEfuremu, pakati pevaManase.
  6875. Jdg 12:5 Zvino VaGiriyadhi vakatapa mazambuko aJoridhani mberi kwaEfuremu. Zvino zvakaitika apo vapoteri vekwaEfuremu vachiti: Regai ndiyambuke; varume veGiriyadhi ndokuti kwaari: Uri muEfuremu here? Kana akati: Kwete;
  6876. Jdg 12:6 zvino vakati kwaari: Iti hako: Shibhoreti; iye ndokuti: Sibhoreti; nokuti waiva asingagoni kutaura zvakanaka; ndokumubata, ndokumubaya pamazambuko aJoridhani. Zvino panguva iyo kwakawa zvuru makumi mana nezviviri kwaEfuremu.
  6877. Jdg 12:7 Zvino Jefuta wakatonga Israeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGiriyadhi wakafa, ndokuvigwa mune rimwe remaguta aGiriyadhi.
  6878. Jdg 12:8 Zvino shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Israeri.
  6879. Jdg 12:9 Uye waiva nevanakomana makumi matatu; wakatumira kunze vanasikana makumi matatu, ndokupinzira vanakomana vake vanasikana makumi matatu vaibva kunze. Iye ndokutonga Israeri makore manomwe.
  6880. Jdg 12:10 Zvino Ibhuzani wakafa ndokuvigwa paBheterehemu.
  6881. Jdg 12:11 Zvino shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Israeri; ndokutonga Israeri makore gumi.
  6882. Jdg 12:12 Zvino Eroni muZebhuruni wakafa ndokuvigwa paAjaroni panyika yekwaZebhuruni.
  6883. Jdg 12:13 Zvino shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri muPiratoni wakatonga Israeri.
  6884. Jdg 12:14 Iye waiva nevanakomana makumi mana nevazukurukomana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vari makumi manomwe; zvino wakatonga Israeri makore masere.
  6885. Jdg 12:15 Zvino Abhidhoni mwanakomana waHireri muPiratoni wakafa, ndokuvigwa paPiratoni panyika yaEfuremu, panyika yezvikomo yevaAmareki.
  6886. Jdg 13:1 Zvino vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pameso aJehovha; Jehovha ndokuvapa muruoko rwevaFirisitia makore makumi mana.
  6887. Jdg 13:2 Zvino kwaiva kune umwe murume weZora, wemhuri yevaDhani, uye zita rake raiva Manowa. Zvino mukadzi wake waiva mhanje uye asingabereki.
  6888. Jdg 13:3 Zvino mutumwa waJehovha wakaonekwa kumukadzi ndokuti kwaari: Tarira hako uri mhanje, haubereki; asi uchabata mimba, ugobereka mwanakomana.
  6889. Jdg 13:4 Naizvozvo ikozvino chichenjera hako, zvino usanwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, uye usadya chinhu chisina kuchena;
  6890. Jdg 13:5 nokuti tarira, uchabata mimba ndokubereka mwanakomana. Zvino chisvo hachingauyi pamusoro wake, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva muchizvaro; iye achatanga kuponesa Israeri kubva paruoko rwevaFirisitia.
  6891. Jdg 13:6 Zvino mukadzi wakauya ndokuudza murume wake achiti: Kwandiri kwakasvika munhu waMwari, zvino kuonekwa kwake kwaiva kwakaita sekuonekwa kwemutumwa waMwari, kuchityisa kwazvo; asi handina kumubvunza kuti unobvepi, uye haana kundiudza zita rake.
  6892. Jdg 13:7 Asi wakati kwandiri: Tarira, uchabata mimba ugobereka mwanakomana; zvino ikozvino chirega kunwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, uye usadya chinhu chisina kuchena, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva muchizvaro kusvika pazuva rekufa kwake.
  6893. Jdg 13:8 Zvino Manowa wakakumbirisa Jehovha ndokuti: Haiwa Ishe wangu, munhu waMwari wamatuma ngaapinde hake zvekare kwatiri, agotidzidzisa zvatichaitira mukomana achaberekwa.
  6894. Jdg 13:9 Mwari ndokuteerera kuinzwi raManowa; mutumwa waMwari ndokuuyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manowa murume wake waiva asiri naye.
  6895. Jdg 13:10 Zvino mukadzi wakakurumidza ndokumhanya, ndokuudza murume wake, ndokuti kwaari: Tarira, murume waonekwa kwandiri, iye wakauya kwandiri zuva riya.
  6896. Jdg 13:11 Zvino Manowa wakasimuka ndokutevera mukadzi wake ndokusvika kumurume, ndokuti kwaari: Ndiwe murume wakataura nemukadzi here? Iye ndokuti: Ndini.
  6897. Jdg 13:12 Manowa ndokuti: Zvino mashoko enyu ngaaitike. Tsika yemukomana ichavei, nebasa rake?
  6898. Jdg 13:13 Mutumwa waJehovha ndokuti kuna Manowa: Pane zvose zvandareva kumukadzi ngaazvichenjerere.
  6899. Jdg 13:14 Asadya pachipi nechipi chinobva pamunda wemizambiringa wewaini; uye asanwa waini nezvinwiwa zvinodhaka; uye asadya chinhu chisina kuchena; zvose zvandamuraira azvichengete.
  6900. Jdg 13:15 Zvino Manowa wakati kumutumwa waJehovha: Tiregei henyu tikunonosei, tigokugadzirirai mbudzana yembudzi.
  6901. Jdg 13:16 Mutumwa waJehovha ndokuti kuna Manowa: Kana ukandinonosa, handingadyi zvechingwa chako; uye kana uchigadzira chipo chinopiswa, upe kuna Jehovha. Nokuti Manowa waiva asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
  6902. Jdg 13:17 Manowa ndokuti kumutumwa waJehovha: Zita renyu ndiani? Kana mashoko enyu achizouya tigokukudzai?
  6903. Jdg 13:18 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Unondibvunzirei seizvi, zita rangu, zvarinoshamisa?
  6904. Jdg 13:19 Zvino Manowa wakatora mbudzana yembudzi pamwe nechipo chezvekudya ndokupa kuna Jehovha padombo; mutumwa akaita zvinoshamisa; uye Manowa nemukadzi wake vakatarira.
  6905. Jdg 13:20 Nokuti zvakaitika murazvo pawakakwira wakananga kudenga kubva paaritari, kuti mutumwa waJehovha wakakwira mumurazvo wearitari, Manowa nemukadzi wake ndokutarira; ndokuwira pasi nezviso zvavo.
  6906. Jdg 13:21 Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manowa nekumukadzi wake. Ipapo Manowa wakaziva kuti waiva mutumwa waJehovha.
  6907. Jdg 13:22 Zvino Manowa wakati kumukadzi wake: Tichafa zvirokwazvo, nokuti taona Mwari.
  6908. Jdg 13:23 Asi mukadzi wake wakati kwaari: Dai Jehovha aida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa kubva paruoko rwedu; uye angadai asina kutiratidza zvinhu izvi zvose, uye angadai asina kutinzwisa zvakadai.
  6909. Jdg 13:24 Zvino mukadzi wakapona mwanakomana, ndokutumidza zita rake Samusoni; mukomana ndokukura, Jehovha ndokumuropafadza.
  6910. Jdg 13:25 Zvino Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa pamusasa waDhani pakati peZora neEshitaori.
  6911. Jdg 14:1 Zvino Samusoni wakaburukira kuTimunati ndokuona mukadzi paTimunati pavakunda vevaFirisitia.
  6912. Jdg 14:2 Zvino wakakwira ndokuudza baba vake namai vake, ndokuti: Ndaona mukadzi paTimunati pavakunda vevaFirisitia; naizvozvo ikozvino nditorerei iye ave mukadzi wangu.
  6913. Jdg 14:3 Zvino baba vake namai vake vakati kwaari: Hakuna mukadzi pakati pevakunda vehama dzako kana pakati pevanhu vangu vose here kuti uende kunotora mukadzi kuvaFirisitia vasina kudzingiswa? Samusoni ndokuti kuna baba vake: Nditorerei iye, nokuti wakanaka pameso angu.
  6914. Jdg 14:4 Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti izvi zvaibva kuna Jehovha, kuti waitsvaka mukana wekurwa nevaFirisitia. Nokuti nenguva iyo vaFirisitia vaitonga kwaIsraeri.
  6915. Jdg 14:5 Zvino Samusoni wakaburukira pamwe nababa vake namai vake kuenda kuTimunati ndokusvika paminda yemizambiringa paTimunati; zvino tarira, hando diki yeshumba yakamuombera.
  6916. Jdg 14:6 Zvino Mweya waJehovha wakauya nesimba pamusoro pake, ndokuibvambura sekubvambura mbudzana, zvino maiva musina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake uye mai vake zvaakaita.
  6917. Jdg 14:7 Zvino wakaburuka ndokutaura nemukadzi; zvino iye waiva akanaka pameso aSamusoni.
  6918. Jdg 14:8 Zvino shure kwemazuva wakadzokera kunomutora; ndokutsauka kuona mutumbi weshumba, zvino tarira, bumha renyuchi neuchi mumutumbi weshumba.
  6919. Jdg 14:9 Zvino wakahumorera mumaoko ake, ndokuenderera achienda achidya; ndokusvika kuna baba vake nekuna mai vake, ndokuvapa, vakadyawo; asi haana kuvaudza kuti wakamora uchi mumutumbi weshumba.
  6920. Jdg 14:10 Zvino baba vake vakaburukira kumukadzi, Samusoni ndokugadzirapo mabiko, nokuti majaya aiita saizvozvo.
  6921. Jdg 14:11 Zvino zvakaitika pavakamuona kuti wakaunza shamwari makumi matatu vaiva naye.
  6922. Jdg 14:12 Samusoni ndokuti kwavari: Regai henyu ndikutaurirei chirabwe; kana mukandiudza zvekundiudza icho pamazuva manomwe emabiko, machiwana, ndichakupai nguvo dzemucheka wakanaka dziri makumi matatu nenguvo dzekuchinja makumi matatu.
  6923. Jdg 14:13 Asi kana musingagoni kundizivisa icho, ipapo imwi muchandipa nguvo dzemucheka wakanaka dziri makumi matatu nenguvo dzekuchinja makumi matatu. Ivo ndokuti kwaari: Taura chirabwe chako tigochinzwa.
  6924. Jdg 14:14 Zvino wakati kwavari: Kumudyi kwakabuda chekudya, uye kune wakasimba kwakabuda kutapira. Zvino havana kugona kududzira chirabwe mazuva matatu.
  6925. Jdg 14:15 Zvino zvakaitika nezuva rechinomwe, kuti vakati kumukadzi waSamusoni: Nyengetedza murume wako, kuti atidudzire chirabwe, zvimwe tingapisa iwe neimba yababa vako nemoto; makatidana kuti mutitorere zvatinazvo kanhi? Handizvo here?
  6926. Jdg 14:16 Zvino mukadzi waSamusoni wakachema misodzi pamberi pake ndokuti: Unondivenga chete, uye haundidi; wakataurira vanakomana vevanhu vangu chirabwe, asi ini hauna kundizivisa icho. Zvino iye wakati kwaari: Tarira, baba vangu namai vangu handina kuvazivisa, zvino ndichazivisa iwe here?
  6927. Jdg 14:17 Zvino wakachema misodzi pamberi pake mazuva manomwe aiva nemabiko avo; zvino zvakaitika nezuva rechinomwe, kuti wakachiudza kwaari, nokuti waiva amushungurudza; zvino wakaudza chirabwe kuvanakomana vevanhu vekwake.
  6928. Jdg 14:18 Zvino varume veguta vakati kwaari nezuva rechinomwe zuva risati ravira: Chii chinotapira kukunda uchi? Uye chii chine simba kukunda shumba? Iye ndokuti kwavari: Dai musina kurima netsiru rangu, hamuzaiwana chirabwe changu.
  6929. Jdg 14:19 Zvino Mweya waJehovha akauya nesimba pamusoro pake. Zvino wakaburukira Ashikeroni, ndokurova varume makumi matatu vavo, ndokutora nguvo dzavo, ndokunopa nguvo dzavo dzekuchinja kune vakazivisa chirabwe. Kutsamwa kwake ndokupfuta, ndokukwira kumba kwababa vake.
  6930. Jdg 14:20 Asi mukadzi waSamusoni wakava kushamwari yake yaishamwaridzana naye.
  6931. Jdg 15:1 Zvino zvakaitika shure kwemazuva, pamazuva ekukohwa gorosi, kuti Samusoni wakanoshanyira mukadzi wake ane mbudzana yembudzi, ndokuti: Ngandipinde kumukadzi wangu mumba. Asi baba vake havana kumutendera kupinda.
  6932. Jdg 15:2 Baba vake ndokuti: Zvirokwazvo ndakataura kuti wava kumuvenga zvekumuvenga; naizvozvo ndakamupa kushamwari yako. Munin’ina wake haana kunaka kukunda iye here? Ngaave hake wako pachinzvimbo chake.
  6933. Jdg 15:3 Zvino Samusoni wakati kwavari: Ikozvino handichina mhosva kuvaFirisitia kana ndikavaitira zvakaipa.
  6934. Jdg 15:4 Zvino Samusoni wakaenda ndokunobata makava mazana matatu, ndokutora mwenje, ndokuafuratidzanisa muswe wakatarisana nemuswe, ndokuisa mwenje umwe pakati pemiswe miviri pakati nepakati.
  6935. Jdg 15:5 Zvino atungidza moto pamwenje, wakaaregedza akapinda muzviyo zvakamira zvevaFirisitia; ndokupisa kubva kumatutu kusvika kuzviyo zvimire, neminda yemizambiringa nemiorivhi.
  6936. Jdg 15:6 Zvino vaFirisitia vakati: Ndiani waita izvi? Vakati: Samusoni, mukwasha wemuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake ndokumupa kushamwari yake. Zvino vaFirisitia vakakwira, ndokupisa mukadzi nababa vake nemoto.
  6937. Jdg 15:7 Samusoni ndokuti kwavari: Kana maita saizvozvo, zvakadaro ndichatsiva kwamuri, uye pashure peizvo ndicharega.
  6938. Jdg 15:8 Zvino wakavarova, chidya nechiuno, kuuraya kukuru; ndokuburuka ndokunogara pabako redombo Etami.
  6939. Jdg 15:9 Zvino vaFirisitia vakakwira ndokudzika matende paJudha, ndokupararira muRehi.
  6940. Jdg 15:10 Zvino varume vaJudha vakati: Makwirirei kuzorwa nesu? Ivo ndokuti: Takwira kuzosunga Samusoni, kuti timuitire sezvaakatiitira.
  6941. Jdg 15:11 Zvino varume vaJudha zvuru zvitatu vakaburukira kubako redombo Etami, ndokuti kuna Samusoni: Hauzivi kuti vaFirisitia vatongi pamusoro pedu here? Chii ichi chawatiitira? Iye ndokuti kwavari: Sezvavakaita kwandiri, ndaita saizvozvo kwavari.
  6942. Jdg 15:12 Zvino vakati kwaari: Taburukira kukusunga kuti tikupe muruoko rwevaFirisitia. Samusoni ndokuti kwavari: Pikai kwandiri kuti imwi hamungawiri pandiri.
  6943. Jdg 15:13 Zvino vakataura kwaari, vachiti: Kwete; asi tichakusunga zvekukusunga ndokukupa muruoko rwavo, asi zvirokwazvo hatingakuurayi. Zvino vakamusunga netambo mbiri itsva, ndokumukwidza kubva padombo.
  6944. Jdg 15:14 Paakasvika Rehi, vaFirisitia vakamupururudzira. Zvino Mweya waJehovha wakauya nesimba pamusoro pake; tambo dzaiva pamaoko ake ndokuva sedzakafanana nefirakisi yakatsva nemoto, uye zvisungo zvake zvikanyauka kubva pazvanza zvake.
  6945. Jdg 15:15 Akawana rushaya rutsva rwembongoro, ndokutandavadza ruoko rwake, ndokurutora, ndokurova narwo varume churu.
  6946. Jdg 15:16 Samusoni ndokuti: Nerushaya rwembongoro, murwi, mirwi miviri, nerushaya rwembongoro ndakarova varume churu.
  6947. Jdg 15:17 Zvino zvakaitika apedza kutaura, kuti wakakanda rushaya kubva muruoko rwake, ndokutumidza nzvimbo iyo Ramati-Rehi.
  6948. Jdg 15:18 Zvino wakava nenyota kwazvo, ndokuchema kuna Jehovha, ndokuti: Imwi makapa kusunungurwa kukuru uku neruoko rwemuranda wenyu; zvino ikozvino ndichafa nenyota, ndikawira muruoko rwevasina kudzingiswa here?
  6949. Jdg 15:19 Asi Mwari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikabudapo; wakati anwa, mweya wake ukadzoka, akaponazve; naizvozvo wakatumidza zita racho Eni-Hakori, riri paRehi kusvika nhasi.
  6950. Jdg 15:20 Iye akatonga Israeri makore makumi maviri pamazuva evaFirisitia.
  6951. Jdg 16:1 Zvino Samusoni wakaenda kuGaza ndokuonako mukadzi, chifeve, ndokupinda kwaari.
  6952. Jdg 16:2 Zvikaudzwa kuvaGaza zvichinzi: Samusoni wasvika pano. Zvino vakakomba vakamuvandira usiku hwose pasuwo reguta, ndokunyarara usiku hwose, vachiti: Kusvika kwachena mangwanani, ndipo patichamuuraya.
  6953. Jdg 16:3 Samusoni ndokurara kusvika pakati peusiku, ndokumuka pakati peusiku, ndokubata masasa esuwo reguta, nemagwatidziro maviri, ndokuadzura pamwe nezariro, ndokuisa pamafudzi ake, ndokuakwidza panhongonya yegomo riri pamberi peHebhuroni.
  6954. Jdg 16:4 Zvino zvakaitika pashure kuti wakada mukadzi pamupata weSoreki, wezita rake raiva Dherira.
  6955. Jdg 16:5 Madzishe evaFirisitia ndokukwira kwaari ndokuti kwaari: Mukwezve uone kuti simba rake guru riri pai, uye kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timurwadzise. Zvino isu tichakupa umwe neumwe zvimedu zvesirivha mazana gumi nezana rimwe.
  6956. Jdg 16:6 Zvino Dherira wakati kuna Samusoni: Ndiudze hako kuti simba rako guru riri pai, uye kuti ungasungwa nei, kukurwadzisa.
  6957. Jdg 16:7 Samusoni ndokuti kwaari: Kana vakandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuoma, ndichava asina simba, uye ndive seumwe munhu.
  6958. Jdg 16:8 Zvino madzishe evaFirisitia akamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuoma, iye ndokumusunga nadzo.
  6959. Jdg 16:9 Zvino vakavandira vaiva vakagara naye muimba yemukati. Iye ndokuti kwaari: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Iye ndokudambura tambo sekunodambuka tambo yefirakisi kana ichinzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.
  6960. Jdg 16:10 Zvino Dherira wakati kuna Samusoni: Tarira, watamba neni ndokundiudza nhema. Ikozvino ndiudze hako kuti ungasungwa nei?
  6961. Jdg 16:11 Iye ndokuti kwaari: Kana vakangondisunga-sunga nemabote matsva asina kumboitwa basa nawo, ndichava asina simba, uye ndive seumwe munhu.
  6962. Jdg 16:12 Naizvozvo Dherira wakatora mabote matsva ndokumusunga nawo, ndokuti kwaari: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Zvino vakavandira vaiva vakagara muimba yemukati. Asi wakaadambura pamaoko ake serushinda.
  6963. Jdg 16:13 Zvino Dherira wakati kuna Samusoni: Kusvika ikozvino unotamba neni, uye wandiudza nhema; ndiudze kuti ungasungwa nei. Iye ndokuti kwaari: Kana ukarukira pamwe mhotsi nomwe dzevhudzi remusoro wangu netambo dzakarukwa.
  6964. Jdg 16:14 Zvino wakasimbisa nembambo, ndokuti kwaari: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Zvino wakapepuka kubva pahope dzake, ndokubvisa mbambo yechirukiso netambo dzakarukwa.
  6965. Jdg 16:15 Iye ndokuti kwaari: Unoreva sei kuti: Ndinokuda; kana moyo wako usineni? Katatu aka watamba neni. Hauna kundiudza kuti simba rako guru riri pai.
  6966. Jdg 16:16 Zvino zvakaitika paaimumanikidza nemashoko ake mazuva ose, ndokumunetsa, moyo wake ndokurwadziwa kusvika pakufa;
  6967. Jdg 16:17 kuti wakamuudza moyo wake wose ndokuti kwaari: Chisvo hachina kumbouya pamusoro pemusoro wangu, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva pachizvaro chamai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, zvino ndichashaiwa simba, uye ndive semunhu wose.
  6968. Jdg 16:18 Dherira wakati aona kuti wamuudza nemoyo wake wose ndokutuma nhume ndokudana madzishe evaFirisitia, achiti: Kwirai nguva ino, nokuti wandiudza zviri mumoyo wake wose. Madzishe evaFirisitia ndokukwira kwaari, uye vakaunza mari muruoko rwavo.
  6969. Jdg 16:19 Iye ndokumurarisa hope pamabvi ake, ndokudana munhu ndokumuveurisa mhotsi nomwe dzevhudzi remusoro wake. Zvino wakatanga kumumanikidza; simba rake ndokubva kwaari.
  6970. Jdg 16:20 Zvino wakati: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Zvino wakapepuka pahope dzake ndokuti: Ndichabuda sepane dzimwe nguva, ndigozvizuza; asi iye waiva asingazivi kuti Jehovha wabva kwaari.
  6971. Jdg 16:21 Zvino vaFirisitia vakamubata, ndokumutumbura meso, ndokuburuka naye kuGaza, ndokumusunga nezvisungo zviviri zvendarira; uye waikuya mutirongo.
  6972. Jdg 16:22 Asi vhudzi remusoro wake rakatanga kukura achangoveurwa.
  6973. Jdg 16:23 Ipapo madzishe evaFirisitia akaungana kuti abaire Dhagoni mwari wavo chibairo chikuru, nekufara; nokuti vakati: Mwari wedu wakaisa muruoko rwedu muvengi wedu Samusoni.
  6974. Jdg 16:24 Vanhu pavakamuona vakarumbidza mwari wavo, nokuti vakati: Mwari wedu wakaisa muruoko rwedu muvengi wedu uye muparadzi wenyika yedu, iye wakauraya vazhinji vedu.
  6975. Jdg 16:25 Zvino zvakaitika, moyo yavo payakafara, kuti vakati: Danai Samusoni kuti atitambire. Zvino vakadana Samusoni kubva mutirongo, iye ndokutamba pamberi pavo. Zvino vakamuisa pakati pembiru.
  6976. Jdg 16:26 Zvino Samusoni wakati kumukomana waiva akabata ruoko rwake: Ndirege ndibate mbiru pakamira imba padziri ndigosendamira padziri.
  6977. Jdg 16:27 Zvino imba yaiva izere nevarume nevakadzi; nemadzishe ose evaFirisitia aivamo; uye pamusoro pedenga paiva nevarume nevakadzi vanenge zvuru zvitatu vaiva vachiona Samusoni achitamba.
  6978. Jdg 16:28 Zvino Samusoni wakadana kuna Jehovha ndokuti: Ishe Jehovha, ndirangarirei henyu, mugondisimbisa henyu nguva ino chete, Mwari, kuti ndizvitsivire nekutsiva kumwe kuvaFirisitia nekuda kwemeso angu maviri.
  6979. Jdg 16:29 Zvino Samusoni wakabata mbiru mbiri dzepakati, paiva pakamira imba pamusoro padzo uye payaiva yakatsigirwa, imwe neruoko rwake rwerudyi neimwe neruoko rwake rweruboshwe.
  6980. Jdg 16:30 Samusoni ndokuti: Mweya weupenyu wangu ngaufe pamwe nevaFirisitia. Zvino wakakotama nesimba, imba ndokuwira pamusoro pemadzishe nepamusoro pevanhu vose vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake vaiva vakawanda pane vaakauraya muupenyu hwake.
  6981. Jdg 16:31 Zvino kwakaburuka hama dzake neveimba yababa vake yose, ndokumutora, ndokumusimudza, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, muguva raManowa baba vake. Iye wakatonga Israeri makore makumi maviri.
  6982. Jdg 17:1 Zvino kwaiva nemurume wegomo raEfuremu, uye zita rake [raiva] Mika.
  6983. Jdg 17:2 Zvino wakati kuna mai vake: Masirivha mazana gumi nezana rimwe akatorwa kwamuri, amakatuka nekuda kwawo, mukataurawo munzeve dzangu, tarirai, sirivha iyoyo ineni; ini ndakaitora. Zvino mai vake vakati: Wakaropafadzwa kuna Jehovha, mwanakomana wangu!
  6984. Jdg 17:3 Wakati adzosa masirivha mazana gumi nezana rimwe kuna mai vake, mai vake ndokuti: Ndaeresa zvekueresa sirivha iyi kuna Jehovha kubva muruoko rwangu kuva yemwanakomana wangu, kuti ndiite chifananidzo chakavezwa uye chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa. Zvino ikozvino ndichaidzosera kwauri.
  6985. Jdg 17:4 Asi wakadzosera mari kuna mai vake. Mai vake ndokutora zvimedu zvesirivha mazana maviri, ndokuzvipa kumuumbi; iye ndokuita nazvo chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa; zvikava mumba maMika.
  6986. Jdg 17:5 Zvino murume uyu Mika waiva ane imba yevamwari; ndokuita efodhi neterafimi, ndokutsaura umwe wevanakomana vake kuti ave mupristi wake.
  6987. Jdg 17:6 Mumazuva iwawo kwaiva kusina mambo kwaIsraeri; munhu umwe neumwe waiita sezvakanaka pameso ake.
  6988. Jdg 17:7 Zvino kwaiva nejaya raibva kuBheterehemu-Judha, remhuri yaJudha; uye raiva muRevhi, uye rigerepo semutorwa.
  6989. Jdg 17:8 Zvino murume uyu wakabva kubuda muguta, kubva paBheterehemu-Judha kunogara semutorwa paaiwana nzvimbo. Zvino wakasvika panyika yegomo raEfuremu paimba yaMika pakuita nzira yake.
  6990. Jdg 17:9 Mika ndokuti kwaari: Unobvepi? Iye ndokuti kwaari: Ndiri muRevhi weBheterehemu-Judha, ndinoenda kunogara semutorwa pandingawana nzvimbo.
  6991. Jdg 17:10 Mika ndokuti kwaari: Gara neni, ugova kwandiri baba uye uve mupristi. Zvino ini ndichakupa zvimedu zvesirivha gumi pagore nenguvo dzekupfeka nezvekudya zvako. MuRevhi ndokuenda naye.
  6992. Jdg 17:11 Zvino MuRevhi wakatenda kugara nemunhu uyu; jaya ndokuva kwaari seumwe wevanakomana vake.
  6993. Jdg 17:12 Mika ndokutsaura muRevhi, jaya ndokuva mupristi wake, uye rakava mumba maMika.
  6994. Jdg 17:13 Zvino Mika wakati: Ikozvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, zvandava nemuRevhi ari mupristi.
  6995. Jdg 18:1 Mumazuva iwawo kwaiva kusina mambo kwaIsraeri; uye mumazuva iwawo rudzi rwaDhani rwakazvitsvakira nhaka yekugara, nokuti kusvika pazuva iro vaiva vasina kugoverwa nhaka pakati pemarudzi aIsraeri.
  6996. Jdg 18:2 Zvino vana vaDhani vakatuma varume vashanu kubva kumhuri yavo vachibva kumicheto yavo, varume veumhare, vaibva kuZora neEshitaori, kushora nyika, nekuitarisisa. Zvino vakati kwavari: Endai munotarisisa nyika. Zvino vakasvika kugomo raEfuremu, muimba yaMika, ndokurarapo.
  6997. Jdg 18:3 Vari mumba maMika, ivo vakaziva inzwi rejaya muRevhi, ndokutsaukirako ndokuti kwaari: Ndiani wakakuunza pano? Uye unoitei pano? Uye unei pano?
  6998. Jdg 18:4 Iye ndokuti kwavari: Mika wakandiitira kudai nekudai, akandihaya, ndava mupristi wake.
  6999. Jdg 18:5 Ivo ndokuti kwaari: Bvunza hako Mwari kuti tizive kuti nzira yedu yatinofamba nayo ichabudirira here.
  7000. Jdg 18:6 Mupristi ndokuti kwavari: Endai nerugare. Nzira yenyu yamunofamba nayo iri pamberi paJehovha.
  7001. Jdg 18:7 Zvino varume vashanu vakaenda ndokusvika kuRaishi, ndokuona vanhu vaiva mukati maro, vagere vakatambarara zvavo nemutoo wevaSidhoni, vakanyarara uye vasingatyiri chinhu; kwaiva kusina mutongi munyika kuvamanikidza chinhu, uye vaiva kure nevaSidhoni, vasingafambidzani nemunhu.
  7002. Jdg 18:8 Zvino vakasvika kuhama dzavo paZora nepaEshitaori. Hama dzavo ndokuti kwavari: Munorevei?
  7003. Jdg 18:9 Ivo ndokuti: Simukai, tigokwira tinovarwisa; nokuti takaona nyika, uye tarirai, yakanaka kwazvo; zvino imwi monyarara? Musava neusimbe kuenda kunopinda kunogara nhaka yenyika.
  7004. Jdg 18:10 Pamuchaenda, muchasvika kuvanhu vakatambarara zvavo, uye nyika yakafara mativi ose, nokuti Mwari waipa mumaoko enyu, nzvimbo musingashaikwi chinhu chimwe nechimwe chiri panyika.
  7005. Jdg 18:11 Zvino kwakasimukapo vaibva kumhuri yekwaDhani vaibva kuZora nekuEshitaori varume mazana matanhatu vakashonga zvombo zvehondo.
  7006. Jdg 18:12 Zvino vakakwira ndokudzika matende muKiriati-Jearimi paJudha; naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Mahane-Dhani kusvika zuva rino; tarirai, riri shure kweKiriati-Jearimi.
  7007. Jdg 18:13 Zvino vakapfuura kubvapo kuenda kugomo raEfuremu, ndokusvika kuimba yaMika.
  7008. Jdg 18:14 Ipapo varume vashanu vakaenda kunoshora nyika yeRaishi vakapindura ndokuti kuhama dzavo: Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi neterafimi nechifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa? Naizvozvo zivai zvamuchaita.
  7009. Jdg 18:15 Zvino vakatsaukirako ndokusvika muimba yejaya muRevhi, muimba yaMika, ndokumubvunza mufaro.
  7010. Jdg 18:16 Zvino varume mazana matanhatu vaiva vakashonga zvombo zvavo zvehondo, vaiva vevana vaDhani, vakamira pamukova wesuwo.
  7011. Jdg 18:17 Zvino varume vashanu vakaenda kunoshora nyika vakakwira, vakapindamo vakatora chifananidzo chakavezwa neefodhi neterafimi nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa; zvino mupristi wakamira pamukova wesuwo nevarume mazana matanhatu vaiva vakashonga zvombo zvehondo.
  7012. Jdg 18:18 Zvino ava vakapinda mumba maMika, vakatorawo chifananidzo chakavezwa neefodhi neterafimi nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa, mupristi ndokuti kwavari: Munoitei?
  7013. Jdg 18:19 Ivo ndokuti kwaari: Nyarara, bata muromo wako, ugoenda nesu ugova baba kwatiri uye mupristi. Zviri nani kwauri here kuva mupristi weimba yemunhu umwe kana kuti uve mupristi werudzi uye wemhuri kwaIsraeri?
  7014. Jdg 18:20 Zvino moyo wemupristi wakafara, iye ndokutora efodhi neterafimi nechifananidzo chakavezwa, ndokupinda pakati pevanhu.
  7015. Jdg 18:21 Zvino vakadzoka ndokuenda ndokuisa vanana nezvipfuwo nenhumbi mberi kwavo.
  7016. Jdg 18:22 Vava kure neimba yaMika, varume vaiva padzimba dzaiva pedo neimba yaMika vakadanirwa pamwe ndokunamana nevana vaDhani.
  7017. Jdg 18:23 Zvino vakadanidzira kuvana vaDhani. Ivo ndokutendeudza zviso zvavo ndokuti kuna Mika: Unodei zvawadanirwa pamwe?
  7018. Jdg 18:24 Iye ndokuti: Matora vamwari vangu vandakaita, nemupristi, zvino mukaenda, zvino ndichinei? Chii ichi chamunoreva kwandiri. Unodei?
  7019. Jdg 18:25 Zvino vana vaDhani vakati kwaari: Inzwi rako ngarirege kunzwikwa nesu, zvimwe varume vanorwadziwa pamweya vangakuwira iwe ndokurasikirwa neupenyu hwako neupenyu hweveimba yako.
  7020. Jdg 18:26 Zvino vana vaDhani vakaenda nenzira yavo; Mika paaiona kuti vane simba kumupfuura, wakatendeuka akadzokera kumba kwake.
  7021. Jdg 18:27 Ivo ndokutora Mika zvaaiva aita, uye mupristi waaiva naye, ndokusvika Raishi kuvanhu vaiva vakanyarara uye vasingatyiri chinhu, ndokuvarova nekwakapinza kwemunondo, ndokupisa guta nemoto.
  7022. Jdg 18:28 Zvino kwaiva kusina mununuri, nokuti raiva kure neSidhoni; uye vaiva vasingafambidzani nemunhu; uye raiva mumupata uri paBheti-Rehobhi. Zvino vakavaka guta, ndokugaramo.
  7023. Jdg 18:29 Zvino vakatumidza zita reguta Dhani, nezita rababa vavo Dhani wakaberekerwa Israeri; asi zita reguta raiva Raishi pakutanga.
  7024. Jdg 18:30 Zvino vana vaDhani vakazvimisira chifananidzo icho chakavezwa; uye Jonatani, mwanakomana waGerishomu mwanakomana waManase, iye nevana vake vakava vapristi verudzi rwevaDhani kusvika pazuva rekutapwa kwenyika.
  7025. Jdg 18:31 Zvino vakazvimisira chifananidzo chakavezwa chaMika chaaiva aita, mazuva ose apo imba yaMwari yaiva paShiro.
  7026. Jdg 19:1 Zvino zvakaitika mumazuva iwawo pakwaiva kusina mambo pakati paIsraeri kuti kwaiva neumwe muRevhi waigara semutorwa kumacheto egomo raEfuremu; uyo wakazvitorera mukadzi murongo kubva kuBheterehemu-Judha.
  7027. Jdg 19:2 Zvino murongo wake wakamuitira ufeve, ndokubva kwaari kuenda kumba kwababa vake kuBheterehemu-Judha, ndokuvako kwemazuva, mwedzi mina.
  7028. Jdg 19:3 Zvino murume wake wakasimuka ndokumutevera kunotaura kumoyo wake kuti amudzose; nejaya rake rinaye vane mbongoro mbiri. Iye ndokumupinza mumba mababa vake; baba vemusikana pavakamuona vakafara kusangana naye.
  7029. Jdg 19:4 Mukarahwa wake, baba vemusikana, vakamurivadza; iye ndokugara naye mazuva matatu; zvino vakadya, vakanwa, ndokurarapo.
  7030. Jdg 19:5 Zvino zvakaitika nezuva rechina kuti vakamuka mangwanani-ngwanani, iye ndokusimuka kuti aende; baba vemusikana ndokuti kumukwasha wavo: Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, uye shure kweizvi muchaenda.
  7031. Jdg 19:6 Naizvozvo vakagara ndokudya ndokunwa vari vaviri pamwe; baba vemusikana ndokuti kumurume: Ida hako urare usiku uye moyo wako ngaufare.
  7032. Jdg 19:7 Zvino murume wakasimuka kuti aende; asi mukarahwa wake wakamumanikidza; ndokurarapo zvekare.
  7033. Jdg 19:8 Zvino wakamuka mangwanani-ngwanani nezuva reshanu kuti aende; baba vemusikana ndokuti: Simbisa hako moyo wako; zvino vakarivara kusvika zuva rorereka; zvino vakadya vari vaviri.
  7034. Jdg 19:9 Murume paakasimuka kuti aende, iye nemurongo wake nejaya rake, mukarahwa wake baba vemusikana ndokuti kwaari: Tarira hako, zuva rovira, ava madekwani, rara hako usiku; tarira, zuva rarereka, rara pano, kuti moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu, uende kutende rako.
  7035. Jdg 19:10 Asi murume haana kuda kurara usiku ihwo, asi wakasimuka ndokuenda, ndokusvika pakatarisana neJebhusi rinova Jerusarema. Zvino waiva nembongoro mbiri dzakaiswa zvigaro; nemurongo wake waiva naye.
  7036. Jdg 19:11 Zvino vava pedo neJebhusi, zuva raiva rovira kwazvo; jaya ndokuti kuna tenzi waro: Uyai henyu titsaukire kuguta iri revaJebhusi, tirareko.
  7037. Jdg 19:12 Tenzi waro ndokuti kwariri: Handingatsaukiri kuguta revatorwa risiri revana vaIsraeri; asi tichapfuurira kuGibhiya.
  7038. Jdg 19:13 Zvino wakati kujaya rake: Uya tigoswedera kune imwe yenzvimbo idzi, tigonorara paGibhiya kana paRama.
  7039. Jdg 19:14 Zvino vakapfuura vakaenda, zuva ndokuvavirira pedo neGibhiya, raiva rekwaBhenjamini.
  7040. Jdg 19:15 Zvino vakatsaukirako kuti vapinde varare paGibhiya. Zvino apinda wakagara pasi mumugwagwa weguta; nokuti kwaiva kusina munhu wakavagamuchira mumba kuzorara.
  7041. Jdg 19:16 Zvino tarira, kwakasvika umwe mutana achibva kubasa rake kumunda madekwani. Murume uyu waibvawo pagomo raEfuremu, ndokugara semweni paGibhiya; asi vanhu venzvimbo iyo vaiva VaBhenjamini.
  7042. Jdg 19:17 Wakati asimudza meso ake ndokuona munhu uyo, mufambi, mumugwagwa weguta; zvino mutana wakati: Unoendepi? Uye unobvepi?
  7043. Jdg 19:18 Zvino wakati kwaari: Tinopfuura tichibva Bheterehemu-Judha, takananga kumacheto egomo raEfuremu; ndiko kwandinobva. Ndanga ndakaenda kuBheterehemu-Judha, zvino ndinoenda kuimba yaJehovha; asi hakuna munhu wandigamuchira mumba.
  7044. Jdg 19:19 Zvakadaro pane majanga nezvekudya zvembongoro dzedu, uye pane chingwa newaini zvangu nezvemurandakadzi wenyu nezvejaya rine varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa.
  7045. Jdg 19:20 Zvino mutana wakati: Rugare ruve newe; koga kushaiwa kwako kose ngakuve pamusoro pangu; koga usarara mumugwagwa.
  7046. Jdg 19:21 Zvino wakamuunza mumba make, ndokupa mbongoro zvekudya. Zvino vakashambidza tsoka dzavo, ndokudya ndokunwa.
  7047. Jdg 19:22 Vachiri kufadza moyo yavo, zvino tarira, varume veguta, vamwe vana vaBheriari, vakakomba imba vachirova pasasa; ndokutaura kumutana mwene weimba vachiti: Budisa murume uyo wapinda mumba mako, kuti timuzive.
  7048. Jdg 19:23 Zvino murume mwene weimba wakabuda kwavari ndokuti kwavari: Kwete, hama dzangu, musaita henyu chakaipa, murume uyu zvaapinda mumba mangu; musaita upenzi uhu.
  7049. Jdg 19:24 Tarirai, mukunda wangu mhandara, nemurongo wake; regai ndivabudise, muvanyadzise, mugovaitira zvakanaka pameso enyu; asi kumurume uyu musaita chinhu ichi cheupenzi.
  7050. Jdg 19:25 Asi varume havana kuda kumuteerera. Naizvozvo murume wakabata murongo wake ndokumubudisira kwavari. Zvino vakamuziva ndokumubhinya usiku hwose kusvika kwaedza. Zvino vakamurega aende mambakwedza.
  7051. Jdg 19:26 Zvino mukadzi wakauya pakuedza, ndokuwira pasi pamukova weimba yemunhu maiva naishe wake, kusvika kwachena.
  7052. Jdg 19:27 Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, ndokuzarura masasa eimba, ndokubuda kuti aende nenzira yake; zvino tarira, mukadzi, murongo wake, wakawira pasi pamukova weimba, uye maoko ake ari pachikumbaridzo.
  7053. Jdg 19:28 Zvino wakati kwaari: Simuka, tiende; asi hakuna wakapindura; zvino wakamukwidza pambongoro, murume ndokusimuka ndokuenda kunzvimbo yake.
  7054. Jdg 19:29 Paakasvika mumba make, wakatora banga, akambundikira murongo wake, ndokumutsemura pamwe nemapfupa ake kuita nhindi gumi nembiri, ndokumutumira kumiganhu yose yaIsraeri.
  7055. Jdg 19:30 Zvino zvakaitika kuti vose vakaona vakati: Hakuna kumboitika, hakuna kumboonekwa zvakadai, kubva pazuva rakakwira vana vaIsraeri kubva panyika yeEgipita kusvika zuva rino; imwi rangarirai izvozvo, panganai, mutaure.
  7056. Jdg 20:1 Zvino vana vaIsraeri vose vakabuda, ungano yose ndokuungana semunhu umwe kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha pamwe nenyika yeGiriyadhi, kuna Jehovha paMizipa.
  7057. Jdg 20:2 Zvino madzishe evanhu vose, vemarudzi ose aIsraeri, vakazvimisa paungano yevanhu vaMwari, zvuru mazana mana zvevarume vaifamba netsoka, vaivhomora munondo.
  7058. Jdg 20:3 Zvino vana vaBhenjamini vakanzwa kuti vana vaIsraeri vakwira kuMizipa. Vana vaIsraeri ndokuti: Revai, zvakaipa izvi zvakavapo sei?
  7059. Jdg 20:4 Zvino murume muRevhi, murume wemukadzi waiva aurawa, wakapindura ndokuti: Ndakasvika paGibhiya riri raBhenjamini, ini nemurongo wangu, kuti tirarepo.
  7060. Jdg 20:5 Zvino vagari veGibhiya vakandimukira, ndokukomba pandiri imba usiku kundirwisa, vachida kundiuraya, uye murongo wangu vakamubhinya kusvika afa.
  7061. Jdg 20:6 Zvino ndakabata murongo wangu, ndikamudimura kuita nhindi, ndokumutumira kunyika yose yenhaka yaIsraeri, nokuti vakaita chinyangadzo neupenzi kwaIsraeri.
  7062. Jdg 20:7 Tarirai, imwi mose muri vana vaIsraeri, ipai shoko nezano renyu pano.
  7063. Jdg 20:8 Zvino vanhu vose vakasimuka semunhu umwe vachiti: Hatingaendi umwe neumwe kutende rake, uye hakuna umwe neumwe wedu achatsaukira kumba kwake.
  7064. Jdg 20:9 Asi ikozvino hechi chinhu chatichaitira Gibhiya: Tichamurwisa nemujenya.
  7065. Jdg 20:10 Zvino tichatora varume gumi pazana remarudzi ose aIsraeri, nezana pachuru, nechuru pazvuru gumi, kuti vatorere vanhu mbuva, kuti kana vasvika paGebha raBhenjamini vavaitire zvinoenderana neupenzi hwavakaita kwaIsraeri.
  7066. Jdg 20:11 Naizvozvo varume vose vaIsraeri vakaunganira guta semunhu umwe vakabatana.
  7067. Jdg 20:12 Zvino marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini vachiti: Ndechakaipa rudzii ichi chakaitika pakati penyu?
  7068. Jdg 20:13 Naizvozvo zvino ipai varume avo, vana vaBheriari vari paGibhiya, kuti tivauraye, tigobvisa zvakaipa kwaIsraeri. Asi vana vaBhenjamini havana kuda kuteerera kuinzwi rehama dzavo, vana vaIsraeri.
  7069. Jdg 20:14 Asi vana vaBhenjamini vakaungana kubva kumaguta kuenda kuGibhiya, kuti vabude kuende kuhondo nevana vaIsraeri.
  7070. Jdg 20:15 Zvino vana vaBhenjamini vakaverengwa nezuva iro vachibva mumaguta vaiva varume zvuru makumi maviri nezvitanhatu vaivhomora munondo, kunze kwevagari veGibhiya ivo vakaverengwa vakava varume mazana manomwe vakasanangurwa.
  7071. Jdg 20:16 Pakati pevanhu ava vose paiva nevarume mazana manomwe vakasanangurwa veruboshwe; vose ava vaifura nerwonzi dombo paruvhudzi vasingapotsi.
  7072. Jdg 20:17 Zvino varume vaIsraeri kunze kwevaBhenjamini vakaverengwa: Varume zvuru mazana mana vaivhomora munondo, vose ava vaiva varume vehondo.
  7073. Jdg 20:18 Zvino vana vaIsraeri vakasimuka ndokukwira kuBheteri, ndokubvunza Mwari, ndokuti: Ndiani kwatiri achatanga kukwira kuhondo nevana vaBhenjamini? Jehovha ndokuti: Judha pakutanga.
  7074. Jdg 20:19 Zvino vana vaIsraeri vakamuka mangwanani, ndokudzika matende pakatarisana neGibhiya.
  7075. Jdg 20:20 Zvino varume vaIsraeri vakabuda kuhondo naBhenjamini; varume vaIsraeri vakarongedza hondo kurwa navo paGibhiya.
  7076. Jdg 20:21 Zvino vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaparadzira pasi pakati paIsraeri nezuva iro varume zvuru makumi maviri nezviviri.
  7077. Jdg 20:22 Zvino vanhu, varume vaIsraeri, vakazvisimbisa ndokurongazve hondo kunzvimbo iyo pavakarongedza nezuva rekutanga.
  7078. Jdg 20:23 Vana vaIsraeri ndokukwira, ndokuchema misodzi pamberi paJehovha kusvika madekwani. Zvino vakabvunza Jehovha vachiti: Ndiswederezve kurwa nevana vaBhenjamini hama yangu here? Jehovha ndokuti: Kwirai munomurwisa.
  7079. Jdg 20:24 Zvino vana vaIsraeri vakaswedera kurwisa vana vaBhenjamini nezuva repiri.
  7080. Jdg 20:25 Zvino Bhenjamini wakabuda kuvarwisa kubva paGibhiya nezuva repiri, ndokuparadzirazve pasi pavana vaIsraeri varume zvuru gumi nezvisere; ava vose vaivhomora munondo.
  7081. Jdg 20:26 Naizvozvo vana vaIsraeri vose nevanhu vose vakakwira ndokusvika paBheteri, ndokuchema misodzi, ndokugarapo pamberi paJehovha. Zvino vakatsanya zuva iro kusvika madekwani, ndokupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa pamberi paJehovha.
  7082. Jdg 20:27 Zvino vana vaIsraeri vakabvunza Jehovha (nokuti areka yesungano yaMwari yaiva ipapo mumazuva iwawo;
  7083. Jdg 20:28 naPinehasi mwanakomana waEriazari mwanakomana waAroni wakamira pamberi payo mumazuva iwawo), vachiti: Ndidzokororezve kubudira kunorwa nevana vaBhenjamini hama yangu here, kana ndichimira? Jehovha ndokuti: Kwirai, nokuti mangwana ndichavapa muruoko rwako.
  7084. Jdg 20:29 Zvino Israeri wakaisira Gibhiya vavandiri kunhivi dzose.
  7085. Jdg 20:30 Zvino vana vaIsraeri vakakwira kurwisa vana vaBhenjamini nezuva retatu, vakaronga kurwa neGibhiya sepane dzimwe nguva.
  7086. Jdg 20:31 Zvino vana vaBhenjamini vakabuda kurwa nevanhu, vakakweverwa kubuda muguta; vakatanga kurova pavanhu, kuuraya, sepane dzimwe nguva mumigwagwa yeumwe wayo waikwira kuenda kuBheteri, neumwe kuGibhiya musango, varume vanenge makumi matatu pakati paIsraeri.
  7087. Jdg 20:32 Zvino vana vaBhenjamini vakati: Varohwa pamberi pedu sepakutanga. Asi vana vaIsraeri vakati: Ngatitize tigovakwevera kubuda muguta vaende kumigwagwa.
  7088. Jdg 20:33 Zvino varume vose vaIsraeri vakasimuka panzvimbo dzavo, ndokuzvirongedza paBhaari-Tamari; uye vavandiri vaIsraeri vakavhomoka panzvimbo yavo pamafuro eGebha.
  7089. Jdg 20:34 Zvino kwakauya kubva pakatarisana neGibhiya varume zvuru gumi vakasanangurwa kubva pana Israeri wese; hondo ndokurema; asi ivo vaiva vasingazivi kuti chakaipa chicharova pamusoro pavo.
  7090. Jdg 20:35 Zvino Jehovha wakarova Bhenjamini pamberi paIsraeri; vana vaIsraeri ndokuparadza paBhenjamini varume zvuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe nezuva iro; ava vose vaivhomora munondo.
  7091. Jdg 20:36 Vana vaBhenjamini ndokuona kuti varohwa; nokuti varume vaIsraeri vakasuduruka kuna Bhenjamini, nokuti vaiva vachivimba vavandiri vavaiva vakaisa pakatarisana neGibhiya.
  7092. Jdg 20:37 Zvino vavandiri vakakurumidza ndokumhanya kuGibhiya; vavandiri ndokupfuurira ndokurova guta rose nekwakapinza kwemunondo.
  7093. Jdg 20:38 Zvino kwakava nechiratidzo chakamiswa kuvarume vaIsraeri nevavandiri, kupfungaidza shongwe huru yeutsi kubva muguta.
  7094. Jdg 20:39 Varume vaIsraeri ndokudzoka pahondo; Bhenjamini ndokutanga kurova, kuuraya varume vevaIsraeri vanenge varume makumi matatu; nokuti vakati: Zvirokwazvo varohwa zvekurohwa pamberi pedu sepahondo yekutanga.
  7095. Jdg 20:40 Asi gore rakati rotanga kupfungaira richibva muguta, shongwe yeutsi, vaBhenjamini vakacheuka shure kwavo, zvino tarira, guta rose richipfungairira kumatenga.
  7096. Jdg 20:41 Varume vaIsraeri vakatendeuka; varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nokuti vakaona kuti chakaipa chavawira.
  7097. Jdg 20:42 Naizvozvo vakafuratira pamberi pevarume vaIsraeri, vachienda kunzira yerenje; asi hondo yakavatevera; uye vaibva mumaguta vakavauraya pakati pavo.
  7098. Jdg 20:43 Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzingirira vakavatsikira pasi zvakareruka kusvika pakatarisana neGibhiya kunobuda nezuva.
  7099. Jdg 20:44 Zvino kwakawa kwaBhenjamini varume zvuru gumi nezvisere; vose ava vaiva varume veumhare.
  7100. Jdg 20:45 Zvino vakatendeuka ndokutizira kurenje kudombo reRimoni. Zvino vakafuhurura kwavari mumigwagwa varume zvuru zvishanu; vakavadzingirira kwazvo shure kwavo kusvika paGidhomi, ndokuuraya kwavari varume zvuru zviviri.
  7101. Jdg 20:46 Naizvozvo vose vakawa kwaBhenjamini nezuva iro vaiva varume zvuru makumi maviri nezvishanu vaivhomora munondo; ava vose vaiva varume veumhare.
  7102. Jdg 20:47 Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka ndokutizira kurenje kudombo reRimoni, ndokugara padombo reRimoni mwedzi mina.
  7103. Jdg 20:48 Zvino varume vaIsraeri vakatendeukira kuvana vaBhenjamini ndokuvarova nekwakapinza kwemunondo, kubva muguta rose kusvika kumhuka kusvika kune chose chakawanikwa; nemaguta ose avakawana vakatungidza nemoto.
  7104. Jdg 21:1 Zvino varume vaIsraeri vaiva vapika paMizipa vachiti: Hakuna umwe wedu achapa mukunda wake kuna Bhenjamini kuti ave mukadzi.
  7105. Jdg 21:2 Vanhu ndokuuya paBheteri, ndokugarapo pamberi paMwari kusvika madekwani; ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi nekuchema kukuru.
  7106. Jdg 21:3 Ndokuti: Jehovha Mwari waIsraeri, sei izvi zvaitika kwaIsraeri, kuti kuve nerudzi rumwe rwunoshaikwa kwaIsraeri?
  7107. Jdg 21:4 Zvino zvakaitika chifume kuti vanhu vakamuka mangwanani ndokuvakapo aritari, ndokupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa.
  7108. Jdg 21:5 Zvino vana vaIsraeri vakati: Ndiani pakati pemarudzi ose aIsraeri asina kukwira pamwe neungano kuna Jehovha? Nokuti paiva nemhiko huru maererano neanorega kukwira kuna Jehovha kuMizipa, vachiti: Zvirokwazvo achaurawa.
  7109. Jdg 21:6 Zvino vana vaIsraeri vakazvidemba pamusoro paBhenjamini hama yavo, ndokuti: Nhasi rumwe rudzi rwagurwa kubva kwaIsraeri.
  7110. Jdg 21:7 Tichavaitirei vakasara maererano nevakadzi? Nokuti isu takapika naJehovha kuti hatingavapi kubva pavakunda vedu kuti vave vakadzi.
  7111. Jdg 21:8 Zvino vakati: Ndeupi pamarudzi aIsraeri asina kukwira kuna Jehovha kuMizipa? Zvino tarira, kwaiva kusina kuuya umwe kumusasa wakabva kuJabheshi-Giriyadhi kuuya kuungano.
  7112. Jdg 21:9 Nokuti vanhu vaiva vaverengwa, zvino tarira, paiva pasina ipapo munhu wekuvagari veJabheshi-Giriyadhi.
  7113. Jdg 21:10 Naizvozvo ungano yakatumirako varume veumhare kwazvo zvuru gumi nezviviri, ndokuvaraira vachiti: Endai munorova vagari veJabheshi-Giriyadhi nekwakapinza kwemunondo, pamwe nevakadzi nevanana.
  7114. Jdg 21:11 Zvino ichi ndicho chinhu chamuchaita: Muchaparadza munhurume umwe neumwe nemunhukadzi umwe neumwe anoziva kurara nemurume.
  7115. Jdg 21:12 Zvino vakawana pakati pevagari veJabheshi-Giriyadhi vasikana mhandara mazana mana, vasina kuziva murume nekurara kwemunhurume; ndokuvauisa kumusasa paShiro iri munyika yeKenani.
  7116. Jdg 21:13 Zvino ungano yose yakatuma nhume ndokutaura kuvana vaBhenjamini vaiva padombo reRimoni, ndokuvaparidzira rugare.
  7117. Jdg 21:14 Zvino vaBhenjamini vakadzoka nenguva iyoyo; zvino vakavapa vakadzi vavaiva vachengetedza vari vapenyu pavakadzi veJabheshi-Giriyadhi; asi zvakadaro havana kuvaringana.
  7118. Jdg 21:15 Zvino vanhu vakazvidemba pamusoro paBhenjamini, nokuti Jehovha waiva aisa kuparadzana pamarudzi aIsraeri.
  7119. Jdg 21:16 Zvino vakuru veungano vakati: Tichaitirei vakasara maererano nevakadzi, vakadzi zvavaparadzwa kwaBhenjamini?
  7120. Jdg 21:17 Vakati: Kunofanira kuva nenhaka yevakapukunyuka vekwaBhenjamini, kuti kurege kutsvairwa rudzi kubva kwaIsraeri.
  7121. Jdg 21:18 Asi isu hatigoni kuvapa vakadzi kubva pavakunda vedu, nokuti vana vaIsraeri vapika vachiti: Ngaatukwe anopa Bhenjamini mukadzi.
  7122. Jdg 21:19 Zvino vakati: Tarirai, kune mutambo waJehovha gore negore paShiro iri kumaodzanyemba kweBheteri, kunobuda nezuva kwemugwagwa unokwira kubva Bheteri kuenda kuShekemu, uye kuchamhembe kweRebhona.
  7123. Jdg 21:20 Naizvozvo vakaraira vana vaBhenjamini vachiti: Endai munovandira muminda yemizambiringa;
  7124. Jdg 21:21 muone, uye tarirai, kana vakunda veShiro vachibuda kuzotamba pamitambo, zvino muchabuda paminda yemizambiringa, mugozvibatira murume umwe neumwe mukadzi wake kubva pavakunda veShiro, mugoenda kunyika yaBhenjamini.
  7125. Jdg 21:22 Zvino kuchati kana madzibaba avo kana hama dzavo vachiuya kumhan’ara kwatiri, tichati kwavari: Tiitirei nyasha nekuda kwavo nokuti hatina kuvatorera umwe neumwe mukadzi wake pahondo, nokuti imwi hamuna kuvapa ivo nenguva ino kuti muve nemhosva.
  7126. Jdg 21:23 Zvino vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, ndokutora vakadzi zvichienderana neuwandu hwavo kubva pavatambi vavaiva vatora nechisimba, ndokuenda, ndokudzokera kunhaka yavo, zvino vakavaka maguta ndokugara maari.
  7127. Jdg 21:24 Zvino vana vaIsraeri vakapararira kubvapo nenguva iyo, umwe neumwe kuenda kurudzi rwake nekumhuri yake; ndokubuda kubvapo, umwe neumwe kuenda kunhaka yake.
  7128. Jdg 21:25 Mumazuva iwawo kwaiva kusina mambo kwaIsraeri. Munhu umwe neumwe waiita zvaiva zvakanaka pameso ake
  7129. Rut 1:1 Zvino zvakaitika mumazuva apo vatongi vaitonga, kwakava nenzara panyika. Zvino umwe murume weBheterehemu-Judha wakaenda kunogara semweni munyika yaMoabhu, iye nemukadzi wake nevanakomana vake vaviri.
  7130. Rut 1:2 Zvino zita remurume raiva Erimereki, uye zita remukadzi wake Naomi, uye zita revanakomana vake vaviri raiva Mahironi naKirioni, VaEfurati veBheterehemu-Judha. Zvino vakauya panyika yekwaMoabhu, ndokuvako.
  7131. Rut 1:3 Zvino Erimereki murume waNaomi wakafa, iye ndokusiiwa, nevanakomana vake vaviri.
  7132. Rut 1:4 Zvino vakazvitorera vakadzi vaMoabhu; zita reumwe raiva Oripa uye zita reumwe Rute. Zvino vakagarako makore anenge gumi.
  7133. Rut 1:5 Ivo ndokufawo vari vaviri Mahironi naKirioni; mukadzi ndokusiiwa asina vanakomana vake vaviri uye asina murume wake.
  7134. Rut 1:6 Zvino wakasimuka iye nevaroora vake, ndokudzokera kubva kunyika yaMoabhu; nokuti waiva anzwa ari panyika yaMoabhu kuti Jehovha wakashanyira vanhu vake kuvapa zvekudya.
  7135. Rut 1:7 Naizvozvo wakabuda kubva panzvimbo paaiva, nevaroora vake vaviri vanaye, ivo ndokufamba munzira kudzokera kunyika yaJudha.
  7136. Rut 1:8 Zvino Naomi wakati kuvaroora vake vaviri: Endai, dzokerai, umwe neumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei nyasha, sezvamakaita kuvakafa nekwandiri.
  7137. Rut 1:9 Jehovha ngaakupei muwane zororo umwe neumwe mumba memurume wake. Zvino wakavatsvoda, ivo ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi.
  7138. Rut 1:10 Zvino vakati kwaari: Zvirokwazvo tichadzokera nemwi kuvanhu vekwenyu.
  7139. Rut 1:11 Naomi ndokuti: Dzokerai vakunda vangu, muchaenderei neni? Kwandiri kuchine vanakomana muchizvaro changu here kuti vave varume venyu?
  7140. Rut 1:12 Dzokerai vakunda vangu, endai, nokuti ndakwegura kwazvo kuti ndive nemurume. Kunyange ndikati ndichine tariro kuti neni usiku huno ndive nemurume, uyewo ndibereke vanakomana,
  7141. Rut 1:13 mungavamirira kusvika vakura here? Mungazvidzivirira kuti musava nemurume here? Kwete, vakunda vangu, nokuti zvinovava kwazvo kwandiri kupfuura kwamuri; nokuti ruoko rwaJehovha rwakabuda kundirwisa.
  7142. Rut 1:14 Zvino vakasimudza inzwi ravo ndokuchemazve misodzi; Oripa ndokutsvoda vamwene vake, asi Rute wakanamatira kwavari.
  7143. Rut 1:15 Ivo ndokuti: Tarira, vakoma vako pakuwanikwa vadzokera kuvanhu vavo nekuna vamwari vavo; dzoka, utevere vakoma vako pakuwanikwa.
  7144. Rut 1:16 Rute ndokuti: Musandinyengetedza kukusiyai, ndidzoke kubva pakukuteverai; nokuti pamunoenda ndinoenda, uye pamunorara ndinorara; vanhu venyu vanhu vangu, uye Mwari wenyu ndiMwari wangu;
  7145. Rut 1:17 pamunonofira ndichafirapo, uye ndichavigwapo; Jehovha ngaandiitire saizvozvo, awedzere kudaro, nokuti rufu chete rwuchaparadzanisa pakati pangu nemwi.
  7146. Rut 1:18 Wakati aona kuti wakasimbirira kuenda naye, ndokurega kutaura naye.
  7147. Rut 1:19 Naizvozvo vakafamba vari vaviri kusvika vasvika paBheterehemu. Zvino zvakaitika pakusvika kwavo paBheterehemu, kuti guta rose rakazungunuswa nekuda kwavo; ivo ndokuti: Uyu ndiNaomi here?
  7148. Rut 1:20 Iye ndokuti kwavari: Regai kundidana muchiti Naomi; mundidane muchiti Mara, nokuti Wemasimbaose wakandibata zvinovava kwazvo.
  7149. Rut 1:21 Ini ndakaenda ndizere, zvino Jehovha wakandidzosa ndisina chinhu; munondidanirei muchiti Naomi, Jehovha zvaakandipupurira achindipikisa, uye Wemasimbaose zvaakandiitira zvakaipa?
  7150. Rut 1:22 Naizvozvo Naomi wakadzoka naRute muMoabhu, muroora wake anaye, wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu; ivo vakasvika paBheterehemu pakutanga kwekukohwa bhari.
  7151. Rut 2:1 Zvino Naomi waiva nehama yemurume wake, murume ane simba pakufuma, wemhuri yaErimereki, uye zita rake [raiva] Bhowasi.
  7152. Rut 2:2 Zvino Rute muMoabhu wakati kuna Naomi: Regai ndiende kumunda ndinofuhurudza hura dzezviyo shure kwewandichawana nyasha pameso ake. Iye ndokuti kwaari: Enda mukunda wangu.
  7153. Rut 2:3 Zvino wakaenda ndokusvika akafuhurura mumunda shure kwevakohwi; ndokuwana mukana pachikamu chemunda waBhowasi, waiva wemhuri yaErimereki.
  7154. Rut 2:4 Zvino tarira, Bhowasi wakasvika kubva kuBheterehemu ndokuti kuvakohwi: Jehovha ave nemwi. Ivo ndokuti kwaari: Jehovha akuropafadzei.
  7155. Rut 2:5 Bhowasi ndokuti kumuranda wake waiva akaiswa pamusoro pevakohwi: Musikana uyu ndewaani?
  7156. Rut 2:6 Muranda waiva akaiswa pamusoro pevakohwi ndokupindura ndokuti: Musikana uyu mukadzi muMoabhu wakadzoka naNaomi kubva kunyika yaMoabhu.
  7157. Rut 2:7 Zvino wakati: Rega hako ndifuhurudze uye ndiunganidze shure kwevakohwi pakati pezvisote. Naizvozvo wakauya ndokuenderera mberi kubva mangwanani kusvika ikozvino, wangogara zvishoma mumba.
  7158. Rut 2:8 Ipapo Bhowasi wakati kuna Rute: Hauna kunzwa here, mukunda wangu? Usaenda kunofuhurudza kune umwe munda, uye usapfuura kubva pano, asi unamatire pano kuvasikana vangu.
  7159. Rut 2:9 Meso ako ngaave mumunda wavanokohwa, uye uvatevere. Handina kuraira majaya here kuti vasakubata? Kana wava nenyota, enda kumidziyo, unwe pane majaya yaakateka.
  7160. Rut 2:10 Ipapo akawira pasi nechiso chake ndokukotamira pasi, ndokuti kwaari: Ndinowanirei nyasha pameso enyu, kuti mundizive zvandiri mutorwa?
  7161. Rut 2:11 Zvino Bhowasi wakapindura ndokuti kwaari: Zvaratidzwa zvekuratidzwa kwandiri zvose zvawakaitira vamwene vako shure kwekufa kwemurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika yechizvarigo chako ndokuuya kuvanhu vawaiva usina kuziva zuro namarimwezuro.
  7162. Rut 2:12 Jehovha ngaakuripire basa rako; dai mubairo wako wakakwana wabva kuna Jehovha Mwari waIsraeri, wawakauya kutizira pasi pemapapiro ake.
  7163. Rut 2:13 Iye ndokuti: Ngandiwane nyasha pameso enyu, ishe wangu, nokuti mandinyaradza, uye nokuti mataura kumoyo wemurandakadzi wenyu, kunyange ini ndisina kuita seumwe wevarandakadzi venyu.
  7164. Rut 2:14 Bhowasi ndokuti kwaari nenguva yekudya: Swedera pano, udye zvechingwa, useve musuva wako muvhiniga. Zvino iye wakagara parutivi rwevakohwi; iye ndokumugamuchidza zviyo zvakakangwa, zvino wakadya ndokuguta ndokusiya.
  7165. Rut 2:15 Zvino asimuka kufuhurudza, Bhowasi wakaraira majaya ake achiti: Regai afuhurudze nepakati pezvisote, musamunyadzisa.
  7166. Rut 2:16 Mumuvhomorerewo maune patsama, mugodzisiya kuti afuhurudze, musamutsiura.
  7167. Rut 2:17 Zvino wakafuhurudza mumunda kusvika madekwani; ndokupura zvaakafuhurudza; zvikavavarira efa yebhari.
  7168. Rut 2:18 Zvino wakazvisimudza ndokupinda muguta; vamwene vake ndokuona zvaaiva afuhurudza; akabudisawo akavapa zvaakasiya aguta.
  7169. Rut 2:19 Vamwene vake ndokuti kwaari: Wafuhurudzepi nhasi? Wabata kupi? Ngaaropafadzwe uyo wakuziva. Iye ndokuudza vamwene vake kuti wakabata kuna ani, ndokuti: Zita remurume wandakabata kwaari nhasi ndiBhowasi.
  7170. Rut 2:20 Naomi ndokuti kumuroora wake: Ngaaropafadzwe naJehovha iye asina kurega tsitsi dzake kuvapenyu nevakafa. Naomi ndokuti kwaari: Murume uyu ihama yepedo kwatiri, ndeumwe wevadzikinuri vedu.
  7171. Rut 2:21 Rute muMoabhu ndokuti: Nokuti naiye wati kwandiri: Uchanamatira kumajaya andinawo kusvika vapedza goho rose randinaro.
  7172. Rut 2:22 Naomi ndokuti kuna Rute muroora wake: Zvakanaka mukunda wangu, kuti ubude nevasikana vake, zvimwe vangakuchingamidza kune umwe munda.
  7173. Rut 2:23 Zvino wakanamatira kuvasikana vaBhowasi achifuhurudza kusvika pakupera kwekukohwehwa kwebhari nekukohwewa kwezviyo. Zvino wakagara navamwene vake.
  7174. Rut 3:1 Zvino Naomi vamwene vake wakati kwaari: Mukunda wangu, handingakutsvakiri zororo here kuti zvikunakire?
  7175. Rut 3:2 Naizvozvowo Bhowasi haasi hama yedu here uyo ane vasikana vawanga unavo? Tarira, anopura bhari usiku huno paburiro.
  7176. Rut 3:3 Zvino shamba uzvizodze mafuta, upfeke nguvo dzako, ugoburukira kuburiro, usazviratidza kumurume, kusvika apedza kudya nekunwa.
  7177. Rut 3:4 Zvino zvichaitika paanenge orara pasi, kuti uchachenjerera nzvimbo paanonorara; ugopinda ndokufukura tsoka dzake, ugorara. Zvino iye achakuudza zvauchaita.
  7178. Rut 3:5 Zvino wakati kwaari: Zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviita.
  7179. Rut 3:6 Ipapo akaburukira kuburiro, ndokuita zvinoenderana nezvose vamwene vake zvavakamuraira.
  7180. Rut 3:7 Bhowasi wakati adya nekunwa, moyo wake ndokufara, ndokuenda kunorara pasi kumacheto kwemurwi wezviyo. Rute ndokuenda chinyararire, ndokufukura tsoka dzake, ndokurara pasi.
  7181. Rut 3:8 Zvino zvakaitika pakati peusiku, kuti murume wakabvunda, ndokuzvishandura, zvino tarira, mukadzi arere patsoka dzake.
  7182. Rut 3:9 Zvino wakati: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini Rute murandakadzi wenyu; naizvozvo radanurai mucheto wenguvo yenyu pamusoro pemurandakadzi wenyu, nokuti muri mudzikinuri.
  7183. Rut 3:10 Iye ndokuti: Uropafadzwe naJehovha, mukunda wangu. Waita zvakanaka nyasha dzako pakupedzisira kupfuura pakutanga, sezvo usina kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.
  7184. Rut 3:11 Naizvozvo zvino mwanasikana wangu, usatya, ndichakuitira zvose zvaunotaura; nokuti guta rose revanhu vekwedu rinoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.
  7185. Rut 3:12 Naizvozvo zvino, zvirokwazvo ichokwadi kuti ndiri hama iri mudzikinuri, asiwo kune hama iri mudzikinuri iri pedo kupfuura ini.
  7186. Rut 3:13 Rara pasi usiku huno. Zvino zvichaitika mangwanani kana akakuitira faniro yehama iri mudzikinuri, zvakanaka, ngaakudzikinure; asi kana asingadi kukudzikinura, ini ndichakudzikinura, naMwari mupenyu. Rara kusvika kwaedza.
  7187. Rut 3:14 Zvino wakarara patsoka dzake kusvika mangwanani, ndokumuka umwe asati aziva umwe. Iye ndokuti: Ngakusazikanwa kuti mukadzi wakasvika paburiro.
  7188. Rut 3:15 Akatiwo: Unza nguvo yawakapfeka ugoibata. Paakaibata wakayera zviyero zvitanhatu zvebhari, ndokumutakudza, ndokupinda muguta.
  7189. Rut 3:16 Wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo ndokuti: Ndiwe ani, mukunda wangu? Iye ndokuvaudza zvose murume zvaakamuitira.
  7190. Rut 3:17 Iye ndokuti: Wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari; nokuti wakati kwandiri: Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.
  7191. Rut 3:18 Zvino vakati: Gara, mukunda wangu, kusvika waziva kuti nyaya ichawira papi; nokuti murume haangazorori kusvika apedza nyaya nhasi.
  7192. Rut 4:1 Zvino Bhowasi wakakwira kusuwo, ndokugarapo pasi; zvino tarira, kunopfuura hama iri mudzikinuri iyo Bhowasi yaaitaura; iye ndokuti: Tsauka ugare pasi pano iwe nhingi-nhingi. Iye ndokutsauka ndokugara pasi.
  7193. Rut 4:2 Zvino wakatora varume gumi pavakuru veguta, ndokuti: Garai pasi pano. Ivo ndokugara pasi.
  7194. Rut 4:3 Zvino wakati kuhama iri mudzikinuri: Chikamu chemunda waiva wemunin’ina wedu Erimereki anochitengesa Naomi uyo wakadzoka kubva kunyika yaMoabhu.
  7195. Rut 4:4 Naizvozvo ini ndati: Ndizvidudze munzeve yako ndichiti: Chitenge pamberi pevagari nepamberi pevakuru vevanhu vekwedu; kana uchichidzikinura, chidzikinure, asi kana kusina angachidzikinura, ndiudze kuti ndizive. Nokuti hakuna angachidzikinura kunze kwako, uye ini ndinotevera iwe. Iye ndokuti: Ini ndichachidzikinura.
  7196. Rut 4:5 Zvino Bhowasi wakati: Zuva raunotenga munda muruoko rwaNaomi, uchatengawo nekuna Rute muMoabhu mukadzi wemushakabvu, kuti umutsire zita remushakabvu panhaka yake.
  7197. Rut 4:6 Zvino hama iyo iri mudzikinuri yakati: Handigoni kuzvidzikinurira iwo, zvimwe nditadzire nhaka yangu. Zvidzikinurire iwe kodzero yekudzikinura yangu, nokuti handigoni kuudzikinura.
  7198. Rut 4:7 Zvino izvi zvaimbovako kwaIsraeri maererano nekudzikinura nemaererano nekutsinhanha, kusimbisa chinhu chese: Munhu waibvisa shangu yake ndokupa kune umwe wake; uye uhu hwaiva uchapupu kwaIsraeri.
  7199. Rut 4:8 Zvino hama iri mudzikinuri yakati kuna Bhowasi: Zvitengere; ndokubvisa shangu yake.
  7200. Rut 4:9 Zvino Bhowasi wakati kuvakuru nekuvanhu vese: Muri zvapupu nhasi kuti ndatenga zvose zvaiva zvaErimereki nezvose zvaiva zvaKirioni naMahironi muruoko rwaNaomi.
  7201. Rut 4:10 Uyewo Rute muMoabhu, mukadzi waMahironi, ndazvitengera kuva mukadzi, kuti ndimutsire zita remushakabvu panhaka yake, kuti zita remushakabvu rirege kugurwa kubva pakati pehama dzake uye kubva pasuwo renzvimbo yake. Muri zvapupu nhasi.
  7202. Rut 4:11 Zvino vanhu vose vaiva pasuwo nevakuru vakati: Tiri zvapupu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya mumba mako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsraeri; uye uite nesimba paEfurata, ugoparidza zita paBheterehemu.
  7203. Rut 4:12 Uye imba yako ive seimba yaPerezi, Tamari waakaberekera Judha, nembeu Jehovha yaachakupa kumukadzi uyu mudiki.
  7204. Rut 4:13 Zvino Bhowasi wakatora Rute, akava mukadzi wake, ndokupinda kwaari; Jehovha ndokumupa kubata mimba; ndokubereka mwanakomana.
  7205. Rut 4:14 Zvino vakadzi vakati kuna Naomi: Jehovha ngaarumbidzwe iye asina kukusiya usina hama iri mudzikinuri nhasi, kuti zita rake riparidzwe kwaIsraeri.
  7206. Rut 4:15 Zvino achava kwauri mudzoreri weupenyu, nemuriritiri weukweguri hwako; nokuti wawabereka muroora wako uyu, anokuda, uri nani pavanakomana vanomwe kwauri.
  7207. Rut 4:16 Zvino Naomi wakatora mwana, ndokumuisa pachipfuva chake, ndokuva mureri wake.
  7208. Rut 4:17 Vakadzi vavakidzani ndokumutumidza zita vachiti: Kune mwanakomana wakaberekerwa Naomi. Zvino vakatumidza zita rake Obhedhi. Ndiye baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
  7209. Rut 4:18 Zvino awa marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi;
  7210. Rut 4:19 Hezironi ndokubereka Rami; Rami ndokubereka Aminadhabhi;
  7211. Rut 4:20 Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;
  7212. Rut 4:21 Sarimoni ndokubereka Bhowasi; Bhowasi ndokubereka Obhedhi;
  7213. Rut 4:22 Obhedhi ndokubereka Jese; Jese ndokubereka Dhavhidhi
  7214. 1Sa 1:1 Zvino kwaiva neumwe murume weRamataimi-Zofimi wegomo raEfuremu, uye zita rake raiva Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurati.
  7215. 1Sa 1:2 Zvino waiva nevakadzi vaviri; zita reumwe raiva Hana, uye zita reumwe raiva Penina. Zvino Penina waiva nevana, asi Hana waiva asina vana.
  7216. 1Sa 1:3 Zvino murume uyu waikwira kubva muguta rake gore negore kunonamata nekubaira kuna Jehovha wehondo paShiro. Uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi vapristi vaJehovha vaivapo.
  7217. 1Sa 1:4 Zvino rakati rava zuva Erikana ndokubaira, ndokupa kuna Penina mukadzi wake nevanakomana vake nevanasikana vake vose migove.
  7218. 1Sa 1:5 Asi Hana wakamupa mugove wakapetwa kaviri, nokuti waida Hana. Asi Jehovha waiva avhara chizvaro chake.
  7219. 1Sa 1:6 Zvino muvengi wake wakamushungurudzawo nekumurwadzisa, kuti amutsamwise, nokuti Jehovha waiva avhara chizvaro chake.
  7220. 1Sa 1:7 Zvino wakaita saizvozvo gore negore kubva paanokwira kuimba yaJehovha; saka wakamutsamwisa; naizvozvo wakachema ndokusadya.
  7221. 1Sa 1:8 Zvino Erikana murume wake wakati kwaari: Hana, unochemei? Uye sei usingadyi? Zvino sei moyo wako une shungu? Handina kukunakira kupfuura vanakomana gumi here?
  7222. 1Sa 1:9 Naizvozvo Hana wakasimuka shure kwekudya paShiro, uye shure kwekunwa. Zvino Eri mupristi waiva agere pachigaro pagwatidziro remukova wetembere yaJehovha.
  7223. 1Sa 1:10 Zvino Hana waiva mukurwadziwa pamweya weupenyu, ndokunyengetera kuna Jehovha, ndokuchema misodzi kwazvo.
  7224. 1Sa 1:11 Zvino wakapika mhiko, ndokuti: Jehovha wehondo, kana mukatarira zvekutarira kutambudzika kwemurandakadzi wenyu, uye mukandirangarira, nekusakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana munhurume, zvino ndichamupa kuna Jehovha mazuva ose eupenyu hwake. Zvino chisvo hachingauyi pamusoro wake.
  7225. 1Sa 1:12 Zvino zvakaitika paaienderera mberi kunyengetera pamberi paJehovha, kuti Eri wakacherekedza muromo wake.
  7226. 1Sa 1:13 Zvino Hana waitaura mumoyo make; miromo yake yega yaifamba, asi inzwi rake raiva risinganzwikwi; naizvozvo Eri wakafunga kuti wakadhakwa.
  7227. 1Sa 1:14 Eri ndokuti kwaari: Kusvika rinhi wakadhakwa? Bvisa waini yako kwauri.
  7228. 1Sa 1:15 Hana ndokupindura ndokuti: Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi wemweya unoshungurudzika; handina kunwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.
  7229. 1Sa 1:16 Musabata murandakadzi wenyu semwanasikana waBheriari, nokuti ndataura pakuwanda kwekuchema kwangu nekutambudzika kwangu kusvika ikozvino.
  7230. 1Sa 1:17 Eri ndokupindura ndokuti: Enda nerugare; uye Mwari waIsraeri ngaape chikumbiro chako chawakumbira kwaari.
  7231. 1Sa 1:18 Iye ndokuti: Murandakadzi wenyu ngaawane tsitsi pameso enyu. Naizvozvo mukadzi wakaenda nenzira yake, ndokudya; zvino chiso chake hachina kuzosuruvarazve.
  7232. 1Sa 1:19 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, ndokunamata pamberi paJehovha, ndokudzokera ndokusvika kumba kwavo paRama. Erikana ndokuziva mukadzi wake Hana; Jehovha ndokumurangarira.
  7233. 1Sa 1:20 Zvino zvakaitika pakushanduka kwemazuva kuti Hana wakabata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Samueri, nokuti wakati: Ndakamukumbira kuna Jehovha.
  7234. 1Sa 1:21 Zvino murume Erikana neimba yake yose vakakwira kunobaira Jehovha chibairo chegore negore, nemhiko yake.
  7235. 1Sa 1:22 Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake: Handingakwiri kusvika mwana arumurwa, ipapo ndichamuunza kuti aonekwe pamberi paJehovha, agogarapo kusvika rinhi narinhi.
  7236. 1Sa 1:23 Erikana murume wake ndokuti kwaari: Ita zvakanaka pameso ako; gara kusvika wamurumura; koga Jehovha ngaasimbise shoko rake. Naizvozvo mukadzi wakagara, ndokuyamwisa mwanakomana wake kusvika amurumura.
  7237. 1Sa 1:24 Zvino wakakwira naye paainge amurumura, ane nzombe diki nhatu, neefa imwe yeupfu hwakatsetseka, nedende rewaini, ndokumuunza muimba yaJehovha paShiro. Zvino mwana waiva mudiki.
  7238. 1Sa 1:25 Zvino vakabaya nzombe diki, ndokuunza mwana kuna Eri.
  7239. 1Sa 1:26 Zvino wakati: Haiwa ishe wangu, neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, ishe wangu, ndini mukadzi waiva amire nemwi pano kunyengetera kuna Jehovha.
  7240. 1Sa 1:27 Ndakanyengeterera mukomana uyu, zvino Jehovha wakandipa chikumbiro changu chandakakumbira kwaari.
  7241. 1Sa 1:28 Naizvozvo neni ndamupa kuna Jehovha, mazuva ose aaripo; wakakumbirwa kuna Jehovha. Zvino akanamata Jehovha ipapo.
  7242. 1Sa 2:1 Zvino Hana wakanyengetera ndokuti: Moyo wangu unofara muna Jehovha; runyanga rwangu rwakasimudzwa muna Jehovha; muromo wangu wakapamhamiswa pamusoro pevavengi vangu, nokuti ndinofara muruponeso rwenyu.
  7243. 1Sa 2:2 Hakuna mutsvene saJehovha, nokuti hakuna umwe kunze kwenyu; uye hakuna dombo rakaita saMwari wedu.
  7244. 1Sa 2:3 Musaramba muchitaura muchizvikudza-kudza, muchibudisa kuzvitutumadza pamuromo wenyu; nokuti Jehovha ndiMwari ane ruzivo rwakawanda, uye zviito zvinoyerwa naye.
  7245. 1Sa 2:4 Uta hwevane simba hwakavhunika; uye vaigumburwa vakasunga zviuno nesimba.
  7246. 1Sa 2:5 Vaiva vakaguta vakazviitisa vabati nekuda kwechingwa, uye vaiva nenzara havachakadaro, kusvika vaiva mhanje vabereka vanomwe, neane vana vazhinji apera simba.
  7247. 1Sa 2:6 Jehovha anouraya uye anoraramisa; anoburusira kubwiro, uye anokwidza.
  7248. 1Sa 2:7 Jehovha anopa urombo, uye anofumisa; anoderedza, anokwiridzirawo.
  7249. 1Sa 2:8 Anosimudza murombo paguruva, anosimudza anoshaiwa kubva mudurunhuru, kuti avagarise pamwe nemachinda, uye anovagarisa nhaka yechigaro chekutonga cherukudzo. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, uye wakaisa nyika pamusoro padzo.
  7250. 1Sa 2:9 Achachengeta tsoka dzevatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima; nokuti munhu anokunda kwete nesimba rake.
  7251. 1Sa 2:10 Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; achatinhira pamusoro pavo ari kumatenga; Jehovha achatonga migumo yenyika; uye achapa simba kuna mambo wake, nekusimudzira runyanga rwemuzodzwa wake.
  7252. 1Sa 2:11 Zvino Erikana wakaenda kuRama kumba kwake. Asi mukomana waishumira Jehovha pamberi pemupristi Eri.
  7253. 1Sa 2:12 Zvino vanakomana vaEri vaiva vana vaBheriari; havana kuziva Jehovha.
  7254. 1Sa 2:13 Zvino tsika yevapristi pavanhu yaiva iyi: Kana ani nani akapa chibairo, muranda wemupristi waiuya nyama ichiri kubikwa ane chibayiso chenyama chemeno matatu muruoko rwake;
  7255. 1Sa 2:14 ndokukanda mugango kana muhadyana kana mugate resimbi kana muhari; chose chibayiso chenyama chachabudisa mupristi waizvitorera. Vakaita saizvozvo kuna Israeri wose waisvikapo paShiro.
  7256. 1Sa 2:15 Zvino vasati vapisa mafuta, muranda wemupristi waiuya, ndokuti kumunhu anobaira: Ndipe nyama yekugochera mupristi; nokuti haangatori kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.
  7257. 1Sa 2:16 Kana munhu uyo akati kwaari: Ngavapise zvekupisa mafuta ikozvino, ugozozvitorera moyo wako sezvaunoda; iye ndokuti kwaari: Haiwa, ndipe ikozvino; kana zvisina kudaro ndichatora nechisimba.
  7258. 1Sa 2:17 Naizvozvo chivi chemajaya chakava chikuru kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipo chaJehovha.
  7259. 1Sa 2:18 Asi Samueri waishumira pamberi paJehovha, ari mukomana akasunga chiuno neefodhi yemucheka.
  7260. 1Sa 2:19 Uye mai vake vakamuitira nguvo diki, ndokuiunza kwaari gore negore pakukwira kwavo nemurume wavo kuzobaira chibairo chegore.
  7261. 1Sa 2:20 Zvino Eri wakaropafadza Erikana nemukadzi wake, ndokuti: Jehovha ngaakupe mbeu nemukadzi uyu panzvimbo yechikumbiro chakakumbirwa kuna Jehovha. Zvino vakaenda kunzvimbo yake.
  7262. 1Sa 2:21 Zvino Jehovha wakashanyira Hana, iye ndokubata mimba, ndokubereka vanakomana vatatu nevanasikana vaviri. Mukomana Samueri ndokukura muna Jehovha.
  7263. 1Sa 2:22 Zvino Eri waiva akwegura kwazvo, ndokunzwa zvose vanakomana vake zvavaiitira Israeri wose, uye kuti vairara nevakadzi vaiungana pamukova wetende rekusangana.
  7264. 1Sa 2:23 Ndokuti kwavari: Munoitirei zvinhu zvakadai? Nokuti ndinonzwa nevanhu ava vose zviito zvenyu zvakaipa.
  7265. 1Sa 2:24 Kwete, vanakomana vangu; nokuti harwusi runyerekupe rwakanaka rwandinonzwa; moita vanhu vaJehovha kuti vatsauke.
  7266. 1Sa 2:25 Kana munhu akatadzira umwe, vatongi vachamutonga; asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani achamunyengeterera? Asi havana kuteerera inzwi rababa vavo, nokuti Jehovha waida kuvauraya.
  7267. 1Sa 2:26 Zvino mukomana Samueri wakaenderera mberi achikura, ndokudikanwa zvose kuna Jehovha nekuvanhu.
  7268. 1Sa 2:27 Zvino kwakasvika munhu waMwari kuna Eri, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Handina kuzviratidza kwazvo here kuimba yababa vako vachiri muEgipita muimba yaFarao?
  7269. 1Sa 2:28 Ndakamusarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri kuva mupristi kwandiri, akwire kuaritari yangu kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, kupfeka efodhi pamberi pangu. Ndakapa imba yababa vako zvipo zvemoto zvose zvevana vaIsraeri here.
  7270. 1Sa 2:29 Sei muchikava chibairo changu nechipo changu, zvandakaraira mumba mangu, uye munoremekedza vanakomana vako kukunda ini, muchizvikodza nezvakanakisisa zvezvipo zvose zvaIsraeri, vanhu vangu?
  7271. 1Sa 2:30 Naizvozvo Jehovha Mwari waIsraeri anoti: Ndakati zvirokwazvo: Imba yako neimba yababa vako dzichafamba pamberi pangu nekusingaperi; asi ikozvino anoti Jehovha: Ngazvive kure neni, nokuti vanondikudza ndichavakudza, uye vanondizvidza ndichavashoora.
  7272. 1Sa 2:31 Tarira, mazuva anouya, andichagura ruoko rwako, neruoko rweveimba yababa vako, kusava nemutana paimba yako.
  7273. 1Sa 2:32 Zvino uchaona kutambudzika kweimba yangu, pane zvose zvaanenge aita zvakanakira Israeri; uye hapangavi nemutana paimba yako mazuva ose.
  7274. 1Sa 2:33 Zvino uyo wekwako wandisingazoguri abve paaritari yangu, achava wekupedza meso ako, nekurwadzisa moyo wako; nekuwanda kose kweimba yako kuchafa kuchiri pakuva varume.
  7275. 1Sa 2:34 Zvino ichi chichava chiratidzo kwauri chezvichauya kuvanakomana vako vaviri kuna Hofini naPinehasi: Vachafa vari vaviri nezuva rimwe.
  7276. 1Sa 2:35 Zvino ndichazvimutsira mupristi wakatendeka; achaita sezviri pamoyo wangu nepamweya wangu; uye ndichamuvakira imba yakasimba, uye achafamba pamberi pemuzodzwa wangu mazuva ose.
  7277. 1Sa 2:36 Zvino zvichaitika, umwe neumwe achasara paimba yako achauya agofugama kwaari nekuda kwemuripo wesirivha nechimedu chechingwa, uye achati: Ndibatisei henyu pane rimwe remabasa eupristi kuti ndidye chimedu chechingwa.
  7278. 1Sa 3:1 Zvino mukomana Samueri waishumira Jehovha pamberi paEri.
  7279. 1Sa 3:2 Zvino zvakaitika panguva iyo Eri paaiva arara panzvimbo yake, uye meso ake otanga kuonera madzedzerere, asingagoni kuona,
  7280. 1Sa 3:3 uye mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri waiva arere patembere yaJehovha, paiva neareka yaMwari;
  7281. 1Sa 3:4 Jehovha ndokudana Samueri. Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.
  7282. 1Sa 3:5 Zvino wakamhanyira kuna Eri ndokuti: Tarirai, ndiri pano, nokuti mandidana. Iye ndokuti: Handina kudana, dzokera unorara. Zvino wakaenda ndokurara.
  7283. 1Sa 3:6 Zvino Jehovha wakapamha kudanazve Samueri. Samueri ndokusimuka ndokuenda kuna Eri, ndokuti: Tarirai, ndiri pano, nokuti mandidana. Asi wakati: Handina kudana, mwanakomana wangu; dzokera unorara.
  7284. 1Sa 3:7 Asi Samueri waiva asati oziva Jehovha, uye shoko raJehovha raiva risati raratidzwa kwaari.
  7285. 1Sa 3:8 Zvino Jehovha wakapamha kudana Samueri rwechitatu. Iye ndokusimuka ndokuenda kuna Eri ndokuti: Tarirai, ndiri pano, nokuti mandidana. Eri ndokuziva kuti Jehovha anodana mukomana.
  7286. 1Sa 3:9 Naizvozvo Eri wakati kuna Samueri: Enda unorara, zvino kuchati kana achikudana, uchati: Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu anonzwa. Naizvozvo Samueri wakaenda akanorara panzvimbo yake.
  7287. 1Sa 3:10 Zvino Jehovha wakauya ndokuzvimisa, ndokudana sepane dzimwe nguva: Samueri, Samueri! Samueri ndokuti: Taurai, nokuti muranda wenyu anonzwa.
  7288. 1Sa 3:11 Jehovha ndokuti kuna Samueri: Tarira, ndinoita chinhu kwaIsraeri chichaungisa nzeve mbiri dzeumwe neumwe achachinzwa.
  7289. 1Sa 3:12 Nezuva iro ndichasimudza kuna Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake; nditangise ndipedze.
  7290. 1Sa 3:13 Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga imba yake kusvika rinhi narinhi, pamusoro pechitadzo chaanoziva; nokuti vanakomana vake vakazviita chakatukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
  7291. 1Sa 3:14 Zvino naizvozvo ndakapika kuimba yaEri, kuti kuipa kweimba yaEri hakungayananiswi nechibairo kana nechipo nekusingaperi.
  7292. 1Sa 3:15 Zvino Samueri wakarara kusvika mangwanani, ndokuzarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri chiratidzo.
  7293. 1Sa 3:16 Zvino Eri wakadana Samueri ndokuti: Samueri, mwanakomana wangu. Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.
  7294. 1Sa 3:17 Iye ndokuti: Chinyiko chaakareva kwauri? Usandivanzira hako; Mwari ngaakuitire saizvozvo, arambe achidaro, kana uchindivanzira chinhu pazvinhu zvose zvaakataura kwauri.
  7295. 1Sa 3:18 Zvino Samueri akamuudza zvinhu zvose, uye haana kumuvanzira chinhu. Iye ndokuti: NdiJehovha, ngaaite zvakanaka pameso ake.
  7296. 1Sa 3:19 Samueri ndokukura; Jehovha ndokuva naye, uye haana kuregera rimwe remashoko ake richiwira pasi.
  7297. 1Sa 3:20 Zvino Israeri wose kubva paDani kusvika paBheeri-Shebha wakaziva kuti Samueri waiva asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
  7298. 1Sa 3:21 Zvino Jehovha wakaonekwazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.
  7299. 1Sa 4:1 Zvino shoko raSamueri rakasvika kuna Israeri wose. Zvino Israeri wakabuda kunorwisana nevaFirisitia pahondo, ndokudzika matende nechepaEbheni-Ezeri. VaFirisitia ndokudzika matende paAfeki.
  7300. 1Sa 4:2 VaFirisitia vakazvirongedzera kurwisa Israeri. Hondo yakati yotandavara, Israeri wakarohwa pamberi pevaFirisitia; uye vakauraya pamudungwe musango varume vanenge zvuru zvina.
  7301. 1Sa 4:3 Vanhu vakati vasvika kumusasa, vakuru vaIsraeri vakati: Jehovha wakatiroverei nhasi pamberi pevaFirisitia? Ngatizvitorerei areka yesungano yaJehovha kubva paShiro; kana ikauya pakati pedu ichatiponesa paruoko rwevavengi vedu.
  7302. 1Sa 4:4 Naizvozvo vanhu vakatuma nhume kuShiro kuti vanotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, igere pamakerubhi; uye vanakomana vaviri vaEri Hofini naPinehasi vaiva varipo neareka yesungano yaMwari.
  7303. 1Sa 4:5 Zvino zvakaitika pakusvika kweareka yesungano yaJehovha pamusasa, kuti Israeri wose wakapururudza nemupururu mukuru, nyika ndokutinhira.
  7304. 1Sa 4:6 Zvino vaFirisitia vachinzwa inzwi remupururu ndokuti: Inzwi iri remupururu mukuru mumusasa wevaHebheru chii? Zvino vakaziva kuti areka yaJehovha yasvika kumusasa.
  7305. 1Sa 4:7 VaFirisitia ndokutya, nokuti vakati: Mwari wasvika kumusasa. Ndokuti: Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kuvapo zuro namarimwezuro.
  7306. 1Sa 4:8 Tine nhamo! Ndiani achatinunura paruoko rwevaMwari ava vane simba? Ava ndivaMwari vakarova vaEgipita nematambudziko ose murenje.
  7307. 1Sa 4:9 Simbai, muve sevarume, imwi vaFirisitia, zvimwe mungashandira vaHebheru, sezvavakakushandirai. Naizvozvo ivai sevarume, murwe.
  7308. 1Sa 4:10 Zvino vaFirisitia vakarwa, Israeri ndokurohwa; zvino vakatiza, umwe neumwe kumatende ake. Kukavapowo kuurawa kukuru kwazvo, nokuti kwakawa kwaIsraeri zvuru makumi matatu vaifamba nemakumbo.
  7309. 1Sa 4:11 Areka yaMwari ndokutorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakafa.
  7310. 1Sa 4:12 Zvino murume wekwaBhenjamini wakamhanya kubva mumudungwe ndokusvika paShiro nezuva iroro, uye nguvo dzake dzaiva dzakabvarurwa, uye maiva nevhu mumusoro wake.
  7311. 1Sa 4:13 Paakasvika, tarira, Eri wakagara pachigaro kurutivi rwenzira akatarira, nokuti moyo wake waibvundira areka yaMwari. Murume uyu wakati apinda muguta kuzvitaura, guta rose rikachema.
  7312. 1Sa 4:14 Eri paakanzwa ruzha rwekuchema, wakati: Ruzhai rwebopoto iri? Murume ndokupinda achikurumidza, ndokuudza Eri.
  7313. 1Sa 4:15 Zvino Eri waiva ava wemakore makumi mapfumbamwe nemasere, uye meso ake aiva amira, kuti waiva asingagoni kuona.
  7314. 1Sa 4:16 Murume ndokuti kuna Eri: Ndini ndabva kumudungwe, uye ini ndatiza nhasi kubva kumudungwe. Iye ndokuti: Inyaya yei, mwanakomana wangu?
  7315. 1Sa 4:17 Zvino wakauya neshoko wakati: Israeri watiza pamberi pevaFirisitia; uye kwava nekuurayiwa kukuru pavanhu; uye vanakomana venyu vaviri Hofini naPinehasi vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.
  7316. 1Sa 4:18 Zvino zvakaitika, paakataura zveareka yaMwari, kuti wakawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuwo ndokuvhunika mutsipa wake ndokufa; nokuti munhu uyu waiva akwegura, orema. Zvino waiva atonga Israeri makore makumi mana.
  7317. 1Sa 4:19 Zvino muroora wake mukadzi waPinehasi waiva nemimba, oda kupona; paakanzwa mashoko kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti vatezvara vake nemurume wake vafa, wakafugama ndokupona, nokuti wakasvikirwa nekurwadziwa nemimba.
  7318. 1Sa 4:20 Zvino panenge panguva yekufa kwake vakadzi vaiva vamire naye vakati: Usatya, nokuti wapona mwana mukomana. Asi haana kupindura uye haana kuzviisa mumoyo make.
  7319. 1Sa 4:21 Zvino wakatumidza mukomana kuti Ikabhodhi, achiti: Kubwinya kwabviswa kuna Israeri; nokuti areka yaMwari yakatorwa, uye nekuda kwavatezvara vake nemurume wake.
  7320. 1Sa 4:22 Zvino wakati: Kubwinya kwabviswa kuna Israeri; nokuti areka yaMwari yatorwa.
  7321. 1Sa 5:1 Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, ndokubva nayo paEbheni-Ezeri ndokuiuisa paAshidhodhi.
  7322. 1Sa 5:2 Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari ndokuipinza mumba maDhagoni, ndokuiisa pana Dhagoni.
  7323. 1Sa 5:3 VaAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani-ngwanani, tarira, Dhagoni wawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha. Zvino vakatora Dhagoni ndokumuisazve panzvimbo yake.
  7324. 1Sa 5:4 Mangwana vakati vachimuka mangwanani-ngwanani, tarira, Dhagoni wawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha; nemusoro waDhagoni nezvanza zviri zviviri zvemaoko ake zvaiva zvavhuniwa pachikumbaridzo; muviri waDhagoni wega wakasara paari.
  7325. 1Sa 5:5 Naizvozvo vapristi vaDhagoni nevose vanopinda mumba maDhagoni havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvika nhasi.
  7326. 1Sa 5:6 Asi ruoko rwaJehovha rwakarema pamusoro pevaAshidhodhi, iye ndokuvaparadza, ndokuvarova nemamota, Ashidhodhi nemuganhu wayo.
  7327. 1Sa 5:7 Vanhu veAshidhodhi vakati vachiona kuti zvakadaro vakati: Areka yaMwari waIsraeri haingagari pakati pedu; nokuti ruoko rwake rwunorema pamusoro pedu uye pamusoro paDhagoni mwari wedu.
  7328. 1Sa 5:8 Naizvozvo vakatuma nhume ndokuunganidza kwavari machinda ose evaFirisitia, ndokuti: Tichaitei kuareka yaMwari waIsraeri? Zvino vakati: Areka yaMwari waIsraeri ngaipote iende kuGati. Zvino vakapotesa areka yaMwari waIsraeri ikoko.
  7329. 1Sa 5:9 Zvino vakati vaipotesa, ruoko rwaJehovha rwakarwisa guta nechakaipa chikuru kwazvo. Zvino wakarova varume veguta, kubva kumudiki kusvikawo kumukuru, zvino kwakaputika mamota kwavari.
  7330. 1Sa 5:10 Zvino vakatumira areka yaMwari kuEkironi. Zvino zvakaitika areka yaMwari payakasvika paEkironi kuti VaEkironi vakachema vachiti: Vakapotedza kuunza areka yaMwari waIsraeri kwandiri kundiuraya ini nevanhu vangu.
  7331. 1Sa 5:11 Naizvozvo vakatuma nhume ndokuunganidza machinda ose evaFirisitia, ndokuti: Tumai areka yaMwari waIsraeri, kuti idzokere kunzvimbo yayo, kuti irege kundiuraya ini nevanhu vangu. Nokuti kwaiva nedambudziko rerufu paguta rese; ruoko rwaMwari rwairema kwazvo ipapo.
  7332. 1Sa 5:12 Zvino vanhu vasina kufa vakarohwa nemamota; kuchema kweguta ndokukwira kumatenga.
  7333. 1Sa 6:1 Zvino areka yaJehovha yakava munyika yevaFirisitia mwedzi minomwe.
  7334. 1Sa 6:2 VaFirisitia ndokudana vapristi nevavuki vachiti: Tichaitei kuareka yaJehovha? Tizivisei kuti tichaituma nei kunzvimbo yayo.
  7335. 1Sa 6:3 Zvino vakati: Kana muchitumira areka yaMwari waIsraeri, musaitumira isina chinhu; asi muchadzosera zvekudzosera kwaari chipo chemhosva; ipapo muchaporeswa; zvino zvichazikanwa kwamuri kuti sei ruoko rwake rwusingabvi kubva kwamuri.
  7336. 1Sa 6:4 Zvino vakati: Chii chipo chemhosva chatichadzosera kwaari? Zvino vakati: Mamota mashanu egoridhe, nemakonzo mashanu egoridhe, zvichienderana neuwandu hwemachinda evaFirisitia; nokuti kwaiva nedambudziko rimwe kwamuri mose nekumachinda enyu.
  7337. 1Sa 6:5 Naizvozvo muchaita mifananidzo yemamota enyu nemifananidzo yemakonzo enyu anotadzira nyika, zvino muchapa rumbidzo kuna Mwari waIsraeri; zvimwe ucharerusa ruoko rwake kubva pamusoro penyu, nekubva pamusoro pavamwari venyu, nekubva pamusoro penyika yenyu.
  7338. 1Sa 6:6 Naizvozvo muchanoomeserei moyo wenyu sevaEgipita naFarao vakaomesa moyo wavo? Shure kwekunge aita zvinorwadza kwavari, havana kuvarega here kuti vaende, ivo ndokuenda?
  7339. 1Sa 6:7 Zvino ikozvino, torai mugadzire ngoro itsva imwe nemhou mbiri dzinoyamwisa pasina kuuya joko pamusoro padzo, mugosunga mhou pangoro, mugodzosesa mhuru dzadzo kumba dzibve shure kwadzo.
  7340. 1Sa 6:8 Zvino torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro; nemidziyo yegoridhe zvamadzosera kwaari zvive chipo chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
  7341. 1Sa 6:9 Muone kana ichikwira nenzira yemuganhu wayo unoenda kuBheti-Shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova; inongova njodzi yatiwira.
  7342. 1Sa 6:10 Zvino varume vakaita saizvozvo; ndokutora mhou mbiri dzaiyamwisa, ndokudzisunga pangoro, ndokupfigira mhuru dzadzo kumusha.
  7343. 1Sa 6:11 Zvino vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi, nemakonzo egoridhe, nemifananidzo yemamota avo.
  7344. 1Sa 6:12 Zvino mhou dzakarurama panzira, nenzira yeBheti-Shemeshi, dzikafamba nenzira huru imwe, dzikaenda dzichikuma; uye hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe evaFirisitia ndokudzitevera kusvika kumuganhu weBheti-Shemeshi.
  7345. 1Sa 6:13 Zvino veBheti-Shemeshi vaiva vachicheka goho regorosi mumupata; pavakasimudza meso avo ndokuona areka, zvino vakafara kuiona.
  7346. 1Sa 6:14 Zvino ngoro yakasvika pamunda waJoshua muBheti-Shemeshi ndokumirapo; zvino paiva nebwe guru; zvino vakatsemura matanda engoro, vakapa mhou ndokuva chipo chinopiswa kuna Jehovha.
  7347. 1Sa 6:15 Zvino vaRevhi vakaburusa areka yaJehovha, nebhokisi raiva nayo, maiva nemidziyo yegoridhe, ndokuisa pabwe guru; varume veBheti-Shemeshi ndokupa zvipo zvinopiswa nekubaira zvibairo nezuva iroro kuna Jehovha.
  7348. 1Sa 6:16 Madzishe mashanu evaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nezuva iroro.
  7349. 1Sa 6:17 Zvino awa mamota anoputika egoridhe vaFirisitia avakadzosera kuva chipo chemhosva kuna Jehovha; reAshidhodhi rimwe, reGaza rimwe, reAshikeroni rimwe, reGati rimwe, reEkironi rimwe;
  7350. 1Sa 6:18 nemakonzo egoridhe aienderana neuwandu hwemaguta ose evaFirisitia emachinda mashanu, kubva kuguta rakashoshewa kusvika kumisha midiki yekuruwa, kusvikawo kubwe guru Abheri ravakaisa areka yaJehovha pamusoro paro, kusvika nhasi, pamunda waJoshua muBheti-Shemeshi.
  7351. 1Sa 6:19 Zvino wakarova vamwe pavarume veBheti-Shemeshi, nokuti vaiva vatarira mukati meareka yaJehovha; akarovawo varume zvuru makumi mashanu nemakumi manomwe pavanhu. Zvino vanhu vakachema nokuti Jehovha wakarova pakati pevanhu nekurova kukuru.
  7352. 1Sa 6:20 Zvino varume veBheti-Shemeshi vakati: Ndiani anogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Uye achakwira kuna ani achibva kwatiri?
  7353. 1Sa 6:21 Ipapo vakatuma nhume kuvagari veKiriati-Jearimi vachiti: VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai muikwidze kwamuri.
  7354. 1Sa 7:1 Zvino varume veKiriati-Jearimi vakauya ndokukwidza areka yaJehovha, ndokuiunza mumba maAbhinadhabhu pachikomo. Zvino vakaita mutsvene Eriazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.
  7355. 1Sa 7:2 Zvino zvakaitika kubva pazuva areka rayakagara paKiriati-Jearimi, kuti mazuva akawanda, nokuti akava makore makumi maviri; imba yose yaIsraeri ndokuchema ichitevera Jehovha.
  7356. 1Sa 7:3 Zvino Samueri wakataura kuimba yose yaIsraeri achiti: Kana mukadzokera kuna Jehovha nemoyo wenyu wose, bvisai vamwari vevatorwa pakati penyu uye vaAshitaroti, mururamisire moyo wenyu kuna Jehovha, mumushumire iye ega; zvino achakununurai paruoko rwevaFirisitia.
  7357. 1Sa 7:4 Zvino vana vaIsraeri vakabvisa vana Bhaari nevaAshitaroti, ndokushumira Jehovha ega.
  7358. 1Sa 7:5 Zvino Samueri wakati: Unganidzai Israeri wose paMizipa, zvino ndichakunyengetererai kuna Jehovha.
  7359. 1Sa 7:6 Zvino vakaungana paMizipa, ndokuchera mvura ndokudururira pamberi paJehovha, ndokutsanya nezuva iroro, ndokuti ipapo: Takatadzira Jehovha. Samueri ndokutonga vana vaIsraeri paMizipa.
  7360. 1Sa 7:7 VaFirisitia vakati vanzwa kuti vana vaIsraeri vaiva vaungana paMizipa, madzishe evaFirisitia akakwira kurwisa Israeri. Vana vaIsraeri pavakanzwa, vakatya vaFirisitia.
  7361. 1Sa 7:8 Zvino vana vaIsraeri vakati kuna Samueri: Musanyarara kutichemera kuna Jehovha Mwari wedu, kuti atiponese paruoko rwevaFirisitia.
  7362. 1Sa 7:9 Zvino Samueri wakatora gwayana rinoyamwa ndokuripa rose kuna Jehovha kuva chipo chinopiswa. Samueri ndokuchema kuna Jehovha pamusoro paIsraeri; Jehovha ndokumupindura.
  7363. 1Sa 7:10 Samueri wakati achapa chipo chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuhondo kurwisa Israeri; asi Jehovha wakatinhira nemutinhiro mukuru pamusoro pevaFirisitia nezuva iroro, ndokuvavhiringidza; zvino vakarohwa pamberi paIsraeri.
  7364. 1Sa 7:11 Zvino varume vaIsraeri vakabuda kubva paMizipa, ndokudzingirira vaFirisitia, ndokuvarova kusvika pazasi peBhetikari.
  7365. 1Sa 7:12 Zvino Samueri wakatora ibwe ndokuisa pakati peMizipa neSheni, ndokutumidza zita raro Ebheni-Ezeri, ndokuti: Kusvika pano Jehovha wakatibatsira.
  7366. 1Sa 7:13 Naizvozvo vaFirisitia vakawisirwa pasi vakasazouyazve mumuganhu waIsraeri. Zvino ruoko rwaJehovha rwakarwisa vaFirisitia mazuva ose aSamueri.
  7367. 1Sa 7:14 Nemaguta vaFirisitia avaiva vatorera Israeri akadzoserwa kuna Israeri, kubva paEkironi kusvikawo paGati; nemiganhu yavo Israeri wakanunura kubva muruoko rwevaFirisitia. Zvino kwakava nerugare pakati pevaIsraeri nevaAmori.
  7368. 1Sa 7:15 Zvino Samueri wakatonga Israeri mazuva ose eupenyu hwake.
  7369. 1Sa 7:16 Zvino waienda gore negore kupotedza Bheteri neGirigari neMizipa, ndokutonga Israeri panzvimbo idzo dzose.
  7370. 1Sa 7:17 Nekudzokera kwake kwaiva kuRama, nokuti imba yake yaiva ipapo, uye ipapo waitonga Israeri; uye wakavakira Jehovha aritari ipapo.
  7371. 1Sa 8:1 Zvino zvakaitika Samueri paaiva akwegura kuti wakaisa vanakomana vake [kuti] vave vatongi pamusoro paIsraeri.
  7372. 1Sa 8:2 Zvino zita remwanakomana wake wedangwe raiva Joweri, nezita rewechipiri wake Abhija; vaiva vatongi paBheeri-Shebha.
  7373. 1Sa 8:3 Asi vanakomana vake havana kufamba munzira dzake, asi vakatsaukira kumubairo wakaipa, vakagamuchira fufuro, nekutsausa mutongo.
  7374. 1Sa 8:4 Zvino vakuru vose vaIsraeri vakaungana ndokuuya kuna Samueri paRama,
  7375. 1Sa 8:5 ndokuti kwaari: Tarirai, imwi makwegura, uye vanakomana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo tiisirei mambo kuti atitonge sezvakaita ndudzi dzose.
  7376. 1Sa 8:6 Asi chinhu ichi chaiva chakaipa pameso aSamueri pavaiti: Tipei mambo kutitonga. Samueri ndokunyengetera kuna Jehovha.
  7377. 1Sa 8:7 Jehovha ndokuti kuna Samueri: Teerera kuinzwi revanhu pazvose zvavanoreva kwauri; nokuti iwe havana kukuramba, asi ini vakandiramba kuti ndirege kutonga pamusoro pavo.
  7378. 1Sa 8:8 Zvichienderana nemabasa ose avakaita kubva pazuva randakavakwidza kubva muEgipita kusvikawo pazuva rino, ravakandisiya naro ndokushumira vamwe vamwari, vakaita saizvozvowo kwauri.
  7379. 1Sa 8:9 Naizvozvo ikozvino teerera kuinzwi ravo; asi kana uchivapupurira kwazvo, uvazivise nzira yamambo achatonga pamusoro pavo.
  7380. 1Sa 8:10 Zvino Samueri wakataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vaimukumbira mambo.
  7381. 1Sa 8:11 Iye ndokuti: Iyi ichava nzira yamambo achatonga pamusoro penyu: Achatora vanakomana venyu, agozviisira ivo pangoro yake nepavatasvi vake vemabhiza, vagomhanya pamberi pengoro yake.
  7382. 1Sa 8:12 Uye achazviisira ivo vave misoro yezvuru nemisoro yemakumi mashanu, nekurima minda yake, uye kukohwa goho rake, nekuita zvombo zvake zvehondo, nezvombo zvengoro dzake.
  7383. 1Sa 8:13 Zvino achatora vanasikana venyu vave vagadziri vezvinonhuhwira, nevabiki, uye vabiki vezvingwa.
  7384. 1Sa 8:14 Zvino achatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa neminda yenyu yemiorivhi yakanakisisa, ndokupa varanda vake.
  7385. 1Sa 8:15 Achatorawo chegumi chembeu yenyu necheminda yenyu yemizambiringa ndokupa kuvatenwa vake nekuvaranda vake.
  7386. 1Sa 8:16 Zvino achatora varandarume venyu nevarandakadzi venyu nemajaya enyu akanakisisa nembongoro dzenyu, ndokuisa pabasa rake.
  7387. 1Sa 8:17 Achatora chegumi chemapoka enyu emakwai; nemwi muchava varanda vake.
  7388. 1Sa 8:18 Zvino muchachema nezuva iro nekuda kwamambo wenyu wamuchazvisarudzira; asi Jehovha haangakupindurii nezuva iro.
  7389. 1Sa 8:19 Asi vanhu vakaramba kuteerera kuinzwi raSamueri, ndokuti: Kwete, asi pachava namambo pamusoro pedu;
  7390. 1Sa 8:20 kuti nesu tive semarudzi ese; uye mambo wedu achatitonga, agobuda mberi kwedu, nekurwa hondo dzedu.
  7391. 1Sa 8:21 Samueri ndokunzwa mashoko ose evanhu, ndokuarondedzera munzeve dzaJehovha.
  7392. 1Sa 8:22 Zvino Jehovha wakati kuna Samueri: Teerera kuinzwi ravo, ugovaisira mambo. Samueri ndokuti kuvarume vaIsraeri: Endai, umwe neumwe kuguta rake.
  7393. 1Sa 9:1 Zvino kwaiva nemurume waBhenjamini, wezita rake raiva Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, muBhenjamini, murume wesimba neumhare.
  7394. 1Sa 9:2 Zvino waiva nemwanakomana, wezita rake raiva Sauro, uye jaya rakanaka; kwaiva kusina munhu pakati pevana vaIsraeri wakanaka kumukunda; kubva pamafudzi ake zvichikwira waiva akareba kupfuura vanhu vose.
  7395. 1Sa 9:3 Zvino mbongoro hadzi dzaKishi baba vaSauro dzakarasika. Kishi ndokuti kuna Sauro mwanakomana wake: Tora hako pamwe newe umwe wevaranda, ugosimuka uende unotsvaka mbongoro hadzi.
  7396. 1Sa 9:4 Zvino wakagura nemugomo raEfuremu, ndokugura nemunyika yeSharisha, asi havana kudziwana. Vakagura nemunyika yeShaarimu, asi dzaiva dzisiko. Zvino wakagura nemunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana.
  7397. 1Sa 9:5 Ivo vasvika kunyika yeZufi, Sauro ndokuti kumuranda wake waiva naye: Uya tidzokere; zvimwe baba vangu vangasiya mbongoro hadzi vakashungurudzikira isu.
  7398. 1Sa 9:6 Iye ndokuti kwaari: Tarirai henyu, mune munhu waMwari muguta rino, uye munhu anokudzwa; zvose zvaanotaura zvinoitika zvirokwazvo. Ikozvino hendei ikoko, zvimwe angatiudza nzira yedu yatingafamba nayo.
  7399. 1Sa 9:7 Zvino Sauro wakati kumuranda wake: Asi tarira, kana tichienda, tichamuvigirei munhu uyo? Nokuti chingwa hachisisimo mumidziyo yedu; uye hapana chipo chekuunza kumunhu waMwari. Tinei?
  7400. 1Sa 9:8 Muranda ndokupindurazve kuna Sauro ndokuti: Tarirai, kwawanikwa muruoko rwangu chechina cheshekeri resirivha; zvino ndichapa munhu waMwari kuti atiudze nzira yedu.
  7401. 1Sa 9:9 (Kare kwaIsraeri kana munhu achinobvunza Mwari, waitaura seizvi: Uyai tiende kumuvoni; nokuti uyo ari muporofita nhasi kutanga waidaidzwa kuti muvoni).
  7402. 1Sa 9:10 Zvino Sauro wakati kumuranda wake: Shoko rako rakanaka, uya tiende. Naizvozvo vakaenda kuguta kwaiva nemunhu waMwari.
  7403. 1Sa 9:11 Vakakwira nepamukwidza weguta, ivo ndokuwana vasikana vachibuda kunochera mvura, ndokuti kwavari: Muvoni ari pano here?
  7404. 1Sa 9:12 Zvino vakavapindura ndokuti: Aripo, tarirai ari pamberi penyu; kurumidzai ikozvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vane chibairo nhasi panzvimbo yakakwirira.
  7405. 1Sa 9:13 Pamunongopinda muguta, muchamuwana pakarepo asati akwira kunzvimbo yakakwirira kunodya; nokuti vanhu havangadyi kusvika asvika, nokuti ndiye anoropafadza chibairo; pashure vakakokwa vanodya. Naizvozvo kwirai zvino, nokuti muchamuwana iye nenguva inenge ino.
  7406. 1Sa 9:14 Zvino vakakwira kuguta; pakupinda kwavo muguta, tarira, Samueri wakabuda kuvachingamidza kuti akwire kunzvimbo yakakwirira.
  7407. 1Sa 9:15 Zvino Jehovha waiva aratidza munzeve yaSamueri zuva rimwe rakatangira kusvika kwaSauro, achiti:
  7408. 1Sa 9:16 Mangwana nenguva inenge ino ndichatuma kwauri munhu anobva kunyika yaBhenjamini; zvino iwe uchamuzodza kuva mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri, kuti aponese vanhu vangu kubva muruoko rwevaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.
  7409. 1Sa 9:17 Samueri wakati achiona Sauro, Jehovha wakamupindura: Tarira munhu wandakataura nezvake kwauri. Uyu achatonga pamusoro pevanhu vangu.
  7410. 1Sa 9:18 Zvino Sauro wakaswedera kuna Samueri pakati pesuwo ndokuti: Ndiudzeiwo, imba yemuvoni iripi?
  7411. 1Sa 9:19 Samueri ndokupindura Sauro ndokuti: Ndini muvoni; kwira mberi kwangu uende panzvimbo yakakwirira, nokuti muchadya neni nhasi; zvino mangwana ndichakurega uende, uye ndichakuudza zvose zviri pamoyo pako.
  7412. 1Sa 9:20 Zvino kana dziri mbongoro hadzi dzako dzarasika kwauri nhasi ava mazuva matatu, usaisa moyo wako padziri, nokuti dzawanikwa. Asi zviri kuna ani zvishuvo zvose zvaIsraeri? Hazvisi kwauri nekuimba yose yababa vako here?
  7413. 1Sa 9:21 Sauro ndokupindura ndokuti: Handisi muBhenjamini werudikisa rwemarudzi aIsraeri here? Uye mhuri yangu idiki kumhuri dzose dzemarudzi aBhenjamini? Munotaurirei saizvozvo kwandiri?
  7414. 1Sa 9:22 Zvino Samueri wakatora Sauro nemuranda wake, ndokuvapinza muimba, ndokuvapa nzvimbo pamusoro pevakakokwa, ivo vainge vanhu makumi matatu.
  7415. 1Sa 9:23 Zvino Samueri wakati kumubiki: Unza mugove wandakakupa, wandakareva kwauri ndichiti: Uise kwauri.
  7416. 1Sa 9:24 Zvino mubiki wakasimudza chidzva nezvaiva pachiri ndokuisa pamberi paSauro. Samueri ndokuti: Tarira, chakasara, chiise pamberi pako, idya, nokuti chakaisirwa iwe kusvika nguva ino yakatarwa; zvandati: Ndakoka vanhu. Sauro ndokudya naSamueri nezuva iroro.
  7417. 1Sa 9:25 Vakati vaburuka panzvimbo yakakwirira kupinda muguta, iye wakataura naSauro padenga reimba.
  7418. 1Sa 9:26 Zvino vakamuka mangwanani. Zvino zvakaitika anenge mambakwedza, kuti Samueri wakadana Sauro padenga reimba achiti: Simuka kuti ndikurege uende. Sauro ndokusimuka, zvino vakabuda vari vaviri, iye naSamueri, vakabuda panze.
  7419. 1Sa 9:27 Vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri ndokuti kuna Sauro: Udza muranda apfuurire mberi kwedu (iye ndokupfuurira); asi iwe mira nhasi, kuti ndikunzwise shoko raMwari.
  7420. 1Sa 10:1 Zvino Samueri wakatora chinu chemafuta, ndokudurura pamusoro wake, ndokumutsvoda, ndokuti: Hakusi nekuda kwekuti Jehovha wakakuzodza kuti uve mutungamiriri pamusoro penhaka yake here?
  7421. 1Sa 10:2 Kana wabva pandiri nhasi, zvino uchawana varume vaviri paguva raRakeri, pamuganhu waBhenjamini paZeriza; zvino vachati kwauri: Mbongoro hadzi dzawakaenda kunotsvaka dzawanikwa; zvino tarira, baba vako vasiya nyaya dzembongoro hadzi, asi votya pamusoro penyu, vachiti: Ndichaita sei nekuda kwemwanakomana wangu?
  7422. 1Sa 10:3 Kana wapfuurira mberi kubvapo, uchasvikawo pamuouki weTabhori, varume vatatu vagosanganapo newe vanokwira kuna Mwari kuBheteri; umwe akatakura mbudzana nhatu, uye umwe akatakura mapundu matatu echingwa, uye umwe akatakura dende rewaini.
  7423. 1Sa 10:4 Zvino vachakubvunza upenyu, ndokukupa zvingwa zviviri, zvauchagamuchira paruoko rwavo.
  7424. 1Sa 10:5 Shure kweizvozvo uchasvika pachikomo chaMwari, pane boka revarwi revaFirisitia. Zvino zvichaitika pauchasvikapo paguta, kuti uchasangana neboka revaporofita vachiburuka kubva kunzvimbo yakakwirira, uye mberi kwavo kune mutengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachiporofita.
  7425. 1Sa 10:6 Zvino Mweya waJehovha achauya nesimba pamusoro pako, ugoporofita pamwe navo, uye uchashanduka kuva umwe munhu.
  7426. 1Sa 10:7 Zvino kuchati zviratidzo izvi pazvinokusvikira, iwe ita ruoko rwako zvarwuchawana, nokuti Mwari anewe.
  7427. 1Sa 10:8 Zvino uchaburuka mberi kwangu uende kuGirigari; zvino tarira, ndichaburukira kwauri kuti ndipe zvipo zvinopiswa, ndibaye chibairo chezvipo zvekuyananisa; ucharinda mazuva manomwe kusvika ndasvika kwauri ndigokuudza zvauchaita.
  7428. 1Sa 10:9 Zvino kwakati paakafuratira kuti abve kuna Samueri, Mwari wakamupa umwe moyo; zvino zviratidzo izvi zvose zvikauya nemusi uyo.
  7429. 1Sa 10:10 Pavakasvikapo pachikomo, tarira, boka revaporofita rakamuchingamidza; Mweya waMwari ndokuuya nesimba pamusoro pake; zvino wakaporofita pakati pavo.
  7430. 1Sa 10:11 Zvino zvakaitika, vose vaimuziva zuro namarimwezuro pavakaona kuti, tarira, anoporofita pamwe nevaporofita, vanhu vakati umwe kune umwe: Chii ichi chawira mwanakomana waKishi? Ko Saurowo uri pakati pevaporofita?
  7431. 1Sa 10:12 Zvino umwe wepo wakapindura, ndokuti: Asi ndiani baba vavo? Naizvozvo yakava tsumo kuti: Ko Saurowo uri pakati pevaporofita?
  7432. 1Sa 10:13 Zvino apedza kuporofita wakasvika panzvimbo yakakwirira.
  7433. 1Sa 10:14 Zvino babamunini vaSauro vakati kwaari nekumuranda wake: Maiva maendepi? Iye ndokuti: Kunotsvaka mbongoro hadzi; zvino taona kuti hadziko, takasvika kuna Samueri.
  7434. 1Sa 10:15 Babamunini vaSauro ndokuti: Ndiudze hako Samueri zvaakataura kwamuri.
  7435. 1Sa 10:16 Sauro ndokuti kuna babamunini vake: Wakatiudza pachena kuti mbongoro hadzi dzawanikwa. Asi nyaya yeumambo Samueri yaakataura, haana kumuudza.
  7436. 1Sa 10:17 Zvino Samueri wakadanira vanhu pamwe kuna Jehovha paMizipa.
  7437. 1Sa 10:18 Ndokuti kuvana vaIsraeri: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Ini ndakakwidza Israeri kubva paEgipita, ndikakununurai kubva muruoko rwevaEgipita, neparuoko rweumambo hwose hwaikumanikidzai.
  7438. 1Sa 10:19 Asi nhasi imwi maramba Mwari wenyu, iye amene anokuponesai panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, uye mati kwaari: Kwete, isai mambo pamusoro pedu. Zvino ikozvino, zvimisei pamberi paJehovha maererano nemarudzi enyu uye maererano nezvuru zvenyu.
  7439. 1Sa 10:20 Zvino Samueri wakaswededza marudzi ose aIsraeri, rudzi rwaBhenjamini ndokubatwa.
  7440. 1Sa 10:21 Akaswededza rudzi rwaBhenjamini maererano nemhuri dzavo, mhuri yaMatiri ndokubatwa; zvino Sauro mwanakomana waKishi wakabatwa. Vakati vachimutsvaka haana kuwanikwa.
  7441. 1Sa 10:22 Naizvozvo vakabvunzazve kuna Jehovha kuti munhu uyu achazosvika pano here? Jehovha ndokuti: Tarirai, wakavanda panhumbi.
  7442. 1Sa 10:23 Zvino vakamhanya ndokumutorapo; wakati azvimisa pakati pevanhu, waiva akareba kupfuura vanhu vose kubva pafudzi rake zvichikwira.
  7443. 1Sa 10:24 Samueri ndokuti kuvanhu vese: Munomuona iye Jehovha waakasarudza, kuti hakuna wakaita saiye pakati pevanhu vose here? Vanhu vose ndokudanidzira ndokuti: Mambo ngaararame.
  7444. 1Sa 10:25 Zvino Samueri wakaudza vanhu nzira yeumambo, ndokunyora mubhuku, ndokuisa pamberi paJehovha. Samueri ndokuendesa vanhu vose, umwe neumwe kumba kwake.
  7445. 1Sa 10:26 NaSaurowo wakaenda kumba kwake kuGibhiya; uye kwakaenda pamwe naye mhare dzemoyo yavo Jehovha yaaiva abata.
  7446. 1Sa 10:27 Asi vana vaBheriari vakati: Uyu angatiponesa sei? Zvino vakamushora, uye havana kumuvigira chipo. Asi wakazvinyararira.
  7447. 1Sa 11:1 Zvino Nahashi muAmoni wakakwira ndokuvaka musasa pakatarisana neJabheshi-Giriyadhi. Zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi: Ita sungano nesu, zvino tichakushumira.
  7448. 1Sa 11:2 Nahashi muAmoni ndokuti kwavari: Ndichaita sungano nemwi apa chete, kuti nditumbure ziso renyu rose rerudyi, uye ndokuchiisa kuva chinyadzo pana Israeri wose.
  7449. 1Sa 11:3 Zvino vakuru veJabheshi vakati kwaari: Tiregei mazuva manomwe kuti titume nhume kumuganhu wose waIsraeri; zvino kana pasina angatiponesa, tichabuda kuuya kwauri.
  7450. 1Sa 11:4 Zvino nhume dzikasvika paGibhiya raSauro, ndokutaura mashoko munzeve dzevanhu. Vanhu vose ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi.
  7451. 1Sa 11:5 Zvino tarira, Sauro wakauya shure kwenzombe kubva kumunda; Sauro ndokuti: Chii kuvanhu kuti vacheme? Zvino vakamuudza mashoko evarume veJabheshi.
  7452. 1Sa 11:6 Zvino Mweya waMwari wakauya nesimba pamusoro paSauro paakanzwa mashoko awa; hasha dzake ndokupfuta zvikuru.
  7453. 1Sa 11:7 Zvino wakatora nzombe mbiri, ndokudzigura kuita nhindi, ndokutumira kumuganhu wose waIsraeri neruoko rwenhume achiti: Ani nani asingabudi kutevera Sauro nekutevera Samueri, zvichaitwa saizvozvo kunzombe dzake. Zvino kutya Jehovha kwakawira pavanhu, zvino vakabuda semunhu umwe.
  7454. 1Sa 11:8 Paaivaverenga paBhezeki, vana vaIsraeri vakava zvuru mazana matatu, uye varume vaJudha zvuru makumi matatu.
  7455. 1Sa 11:9 Zvino vakati kunhume dzakauya: Muchaudza varume veJabheshi-Giriyadhi seizvi: Mangwana zuva ropisa muchava neruponeso. Pakasvika nhume ndokuudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
  7456. 1Sa 11:10 Naizvozvo varume veJabheshi vakati: Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire zvinoenderana nezvose zvakanaka pameso enyu.
  7457. 1Sa 11:11 Zvino zvakaitika chifume kuti Sauro wakaisa vanhu mumapoka matatu; ivo ndokupinda pakati pemusasa pamurindiro wemangwanani, ndokuuraya vaAmoni kusvika pakupisa kwezuva. Zvino zvakaitika kuti avo vakasara vakapararira, uye hakuna kusiiwa kwavari vaviri vari pamwe.
  7458. 1Sa 11:12 Zvino vanhu vakati kuna Samueri: Ndiani wakati: Sauro achatonga here pamusoro pedu? Ipai varume avo, tivauraye.
  7459. 1Sa 11:13 Sauro ndokuti: Hakungaurawi munhu nezuva rino, nokuti nhasi Jehovha waita ruponeso kwaIsraeri.
  7460. 1Sa 11:14 Zvino Samueri wakati kuvanhu: Uyai tiende kuGirigari, tinovandudza umambo ipapo.
  7461. 1Sa 11:15 Vanhu vose ndokuenda kuGirigari, vakaita Sauro ave mambo pamberi paJehovha paGirigari. Zvino ipapo vakabaira zvibairo zvezvipo zvekuyananisa pamberi paJehovha; ipapo Sauro nevarume vose vaIsraeri vakafara zvikuru kwazvo.
  7462. 1Sa 12:1 Zvino Samueri wakati kuna Israeri wese: Tarirai, ndakateerera kuinzwi renyu pane zvose zvamakataura kwandiri, uye ndaisa mambo pamusoro penyu.
  7463. 1Sa 12:2 Zvino ikozvino tarirai, mambo anofamba pamberi penyu; zvino ini ndakwegura, uye ndachena vhudzi; zvino tarirai, vanakomana vangu vanemwi; zvino ini ndakafamba pamberi penyu kubva paudiki hwangu kusvika zuva rino.
  7464. 1Sa 12:3 Tarirai ndiri pano; ndipupurirei pamberi paJehovha nepamberi pemuzodzwa wake, ndeyani mombe yandakatora, uye ndeyani mbongoro yandakatora, uye ndiyani wandakanyengera, ndiyani wandakamanikidza, uye muruoko rwaani mandakagamuchira fufuro kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Zvino ndichazvidzosera kwamuri.
  7465. 1Sa 12:4 Ivo ndokuti: Hamuna kutinyengera, uye hamuna kutimanikidza, uye hamuna kugamuchira chinhu muruoko rweupi neupi.
  7466. 1Sa 12:5 Zvino wakati kwavari: Jehovha chapupu kwamuri, uye muzodzwa wake chapupu nhasi, kuti hamuna kuwana chinhu muruoko rwangu. Ivo ndokuti: Ndiye chapupu.
  7467. 1Sa 12:6 Zvino Samueri wakati kuvanhu: NdiJehovha wakaita Mozisi naAroni, uye wakakwidza madzibaba enyu kubva panyika yeEgipita.
  7468. 1Sa 12:7 Naizvozvo ikozvino zvimisei kuti nditongane nemwi pamberi paJehovha pamusoro pezviito zvose zvakarurama zvaJehovha zvaakaita nemwi uye nemadzibaba enyu.
  7469. 1Sa 12:8 Jakove paakasvika muEgipita, madzibaba enyu ndokuchema kuna Jehovha; Jehovha ndokutuma Mozisi naAroni; ivo ndokubudisa madzibaba enyu kubva Egipita, ndokuvagarisa panzvimbo ino.
  7470. 1Sa 12:9 Pavakakanganwa Jehovha Mwari wavo, wakavatengesa muruoko rwaSisera mukuru wehondo yaHazori, nemuruoko rwevaFirisitia, nemuruoko rwamambo wevaMoabhu; ivo ndokuvarwisa.
  7471. 1Sa 12:10 Zvino vakachema kuna Jehovha, ndokuti: Takatadza, nokuti takasiya Jehovha, ndokushumira vana Bhaari nevaAshitaroti. Asi ikozvino tinunurei kubva muruoko rwevavengi vedu, uye tichakushumirai.
  7472. 1Sa 12:11 Zvino Jehovha wakatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, ndokukununurai kubva muruoko rwevavengi venyu kupoteredza, zvino mukagara makachengetedzeka.
  7473. 1Sa 12:12 Makati maona kuti Nahashi mambo wevana vaAmoni wouya kukurwisai, imwi ndokuti kwandiri: Kwete, asi mambo achatitonga, zvakadaro Jehovha Mwari wenyu waiva mambo wenyu.
  7474. 1Sa 12:13 Naizvozvo ikozvino, tarirai, mambo wamasarudza, wamakakumbira; zvino tarirai, Jehovha wakaisa mambo pamusoro penyu.
  7475. 1Sa 12:14 Kana mukatya Jehovha, uye mukamushumira, nekuteerera kuinzwi rake, uye mukasapandukira murairo waJehovha, ipapo imwi namambowo anotonga pamusoro penyu muchatevera Jehovha Mwari wenyu.
  7476. 1Sa 12:15 Asi kana musingateereri inzwi raJehovha, asi muchipandukira murairo waJehovha, ipapo ruoko rwaJehovha ruchakurwisai, sezvarwakarwisa madzibaba enyu.
  7477. 1Sa 12:16 Zvino ikozvino zvimisei muone chinhu chikuru ichi Jehovha chaachaita pamberi pemeso enyu.
  7478. 1Sa 12:17 Hakusi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, zvino achapa mutinhiro nemvura, kuti muzive muone kuti kuipa kwenyu kukuru kwamakaita pameso paJehovha, kuzvikumbirira mambo.
  7479. 1Sa 12:18 Zvino Samueri wakadana kuna Jehovha, Jehovha ndokupa mutinhiro nemvura nezuva iroro; naizvozvo vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.
  7480. 1Sa 12:19 Vanhu vose ndokuti kuna Samueri: Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chakaipa ichi kuzvikumbirira mambo.
  7481. 1Sa 12:20 Samueri ndokuti kuvanhu: Musatya; imwi makaita chakaipa chose ichi, asi musatsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo wenyu wose.
  7482. 1Sa 12:21 Uye musatsauka, nokuti mungatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri uye zvisinganunuri, nokuti hazvina maturo.
  7483. 1Sa 12:22 Nokuti Jehovha haasii vanhu vake nekuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara kukuitai muve vanhu vake.
  7484. 1Sa 12:23 Neniwo ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nekurega kukunyengetererai; asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama.
  7485. 1Sa 12:24 Koga ityai Jehovha, mugomushumira muchokwadi nemoyo wenyu wose, nokuti onai zvikuru zvaakakuitirai.
  7486. 1Sa 12:25 Asi kana muchiramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa imwi namambo wenyu.
  7487. 1Sa 13:1 Sauro waiva mwanakomana wegore pautongi hwake. Waiva atonga Israeri makore maviri.
  7488. 1Sa 13:2 Sauro ndokuzvisarudzira vane zvuru zvitatu kwaIsraeri; uye zvuru zviviri zvaiva naSauro paMikimashi nepagomo reBheteri, nechuru chaiva naJonatani paGibhiya kwaBhenjamini; zvino vakasiiwa vevanhu wakavaendesa umwe neumwe kutende rake.
  7489. 1Sa 13:3 Jonatani ndokurova boka revarwi revaFirisitia raiva paGebha; vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda panyika yose achiti: VaHebheru ngavanzwe.
  7490. 1Sa 13:4 Zvino Israeri wose wakanzwa kuchinzi: Sauro warova boka revarwi revaFirisitia, uye kuti naIsraeri wosemwa nevaFirisitia. Vanhu ndokudanirwa pamwe kutevera Sauro paGirigari.
  7491. 1Sa 13:5 Zvino vaFirisitia vakaungana kuti varwe naIsraeri, ngoro zvuru makumi matatu, nevatasvi vemabhiza zvuru zvitanhatu, nevanhu vakaenzana nejecha riri pamahombekombe egungwa pakuwanda. Zvino vakakwira ndokudzika matende paMikimashi kumabvazuva kweBheti-Avheni.
  7492. 1Sa 13:6 Zvino varume vaIsraeri vaona kuti vava pakamanikana, nokuti vanhu vakamanikidzwa, vanhu ndokuvanda mumapako nemurukato nemumabwe nemunhare nemumakomba.
  7493. 1Sa 13:7 Uye vaHebheru vakayambuka Joridhani vakaenda kunyika yaGadi neyeGiriyadhi Asi Sauro waiva achiri paGirigari, vanhu vose ndokubvunda shure kwake.
  7494. 1Sa 13:8 Zvino wakamira mazuva manomwe zvichienderana nenguva yaiva yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu ndokupararira kubva kwaari.
  7495. 1Sa 13:9 Zvino Sauro wakati: Swededzai kwandiri chipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa. Zvino wakapa chipo chinopiswa.
  7496. 1Sa 13:10 Zvino zvakaitika apedza kupa chipo chinopiswa, kuti tarira, Samueri wakasvika; Sauro ndokubuda kumuchingamidza kuti amukwazise.
  7497. 1Sa 13:11 Samueri ndokuti: Waitei? Sauro ndokuti: Nokuti ndaona kuti vanhu vopararira vachibva kwandiri, uye kuti imwi hamuna kusvika nenguva yakatarwa yemazuva, uye kuti vaFirisitia vaungana paMikimashi.
  7498. 1Sa 13:12 Naizvozvo ndati: Ikozvino vaFirisitia vachandiburukira paGirigari ndisati ndakumbira chiso chaJehovha; zvino ndazvimanikidza ndokupa chipo chinopiswa.
  7499. 1Sa 13:13 Samueri ndokuti kuna Sauro: Waita neupenzi; hauna kuchengeta murairo waJehovha Mwari wako waakakuraira; nokuti ikozvino Jehovha wanga achamisa umambo hwako kwaIsraeri kusvika rinhi narinhi.
  7500. 1Sa 13:14 Asi ikozvino umambo hwako hahungamiri; Jehovha wazvitsvakira munhu zvichienderana nemoyo wake, uye Jehovha wamuraira kuva mutungamiriri pamusoro pevanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta izvo Jehovha zvaakakuraira.
  7501. 1Sa 13:15 Zvino Samueri wakasimuka ndokukwira kubva paGirigari kuenda kuGibhiya raBhenjamini. Sauro ndokuverenga vanhu vaaiva navo, varume vanenge mazana matanhatu.
  7502. 1Sa 13:16 Zvino Sauro naJonatani mwanakomana wake nevanhu vavaiva navo vakagara paGebha raBhenjamini; asi vaFirisitia vakadzika musasa paMikimashi.
  7503. 1Sa 13:17 Zvino vaparadzi vakabuda kubva kumusasa wevaFirisitia, vari mapoka matatu; boka rimwe rakatendeukira kunzira yeOfira, kuenda kunyika yaShuari;
  7504. 1Sa 13:18 rimwe boka ndokutendeukira kunzira yeBheti-Horoni; uye rimwe boka rakatendeukira kunzira yemuganhu unotarisa pasi pamupata weZebhoimu nechekurenje.
  7505. 1Sa 13:19 Zvino hakuna kuwanikwa mupfuri munyika yose yaIsraeri, nokuti vaFirisitia vakati: Zvimwe vaHebheru vangaita munondo nepfumo.
  7506. 1Sa 13:20 Asi vaIsraeri vose vaiburukira kuvaFirisitia kunorodza umwe neumwe muromo wegejo rake, neshaya yake yebadza, nesanhu rake, nejereso rake.
  7507. 1Sa 13:21 Zvakadaro muripo waiva chetatu cheshekeri pamiromo yegejo, nepashaya dzebadza, nepamaforogo ane zvibaiso zvitatu, nepamasanhu avo, nepakuisa zvibaiso.
  7508. 1Sa 13:22 Zvino zvakaitika nezuva rehondo kuti hakuna kuwanikwa munondo kana pfumo muruoko rwevanhu vose vaiva naSauro nevaiva naJonatani; asi kuna Sauro nekuna Jonatani mwanakomana wake zvakawanikwa.
  7509. 1Sa 13:23 Zvino boka revarwi vevaFirisitia rakabuda kuenda kumupata weMikimashi.
  7510. 1Sa 14:1 Zvino zvakaitika [rimwe] zuva kuti Jonatani mwanakomana waSauro wakati kujaya raitakura zvombo zvake: Uya tiyambukire kuboka revarwi revaFirisitia vari mhiri uko. Asi haana kuudza baba vake.
  7511. 1Sa 14:2 Zvino Sauro waiva agere pamugumo weGibhiya pasi pemupomegiranati waiva paMigironi; uye vanhu vaaiva navo vainge varume mazana matanhatu.
  7512. 1Sa 14:3 Zvino Ahiya mwanakomana waAhitubhi, mukoma waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, mupristi waJehovha paShiro, akatakura efodhi. Zvino vanhu vaiva vasingazivi kuti Jonatani waenda.
  7513. 1Sa 14:4 Zvino pakati pemikoto Jonatani paaiedza kuyambukira kuboka revarwi revaFirisitia, paiva newere rakapinza kurutivi rwuno, uye were rakapinza rumwe rutivi; zvino zita rerimwe raiva Bhozezi, uye zita rerimwe Sene.
  7514. 1Sa 14:5 Rimwe were raiva rakadzikwa kumaodzanyemba pakatarisana neMikimashi, uye rimwe kuchamhembe pakatarisana neGebha.
  7515. 1Sa 14:6 Zvino Jonatani wakati kujaya raitakura zvombo zvake: Uya tiyambukire kuboka revarwi revasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha achatibatira; nokuti hakuna chikoneso kuna Jehovha kuponesa nevazhinji kana nevashoma.
  7516. 1Sa 14:7 Zvino mutakuri wezvombo zvake wakati kwaari: Itai zvose zviri mumoyo menyu; imwi tsaukai, tarirai ndinemwi zvichienderana nemoyo wenyu.
  7517. 1Sa 14:8 Jonatani ndokuti: Tarira, tichayambukira kuvanhu avo, tigozviratidza kwavari.
  7518. 1Sa 14:9 Kana vakataura seizvi kwatiri: Mirai kusvika tasvika kwamuri; ipapo ticharamba takamira panzvimbo yedu, uye hatingakwiri kwavari.
  7519. 1Sa 14:10 Asi kana vakataura seizvi: Kwirai kwatiri; ipapo tichakwira, nokuti Jehovha wavapa muruoko rwedu; zvino ichi chichava chiratidzo kwatiri.
  7520. 1Sa 14:11 Zvino vari vaviri vakazviratidza kuboka revarwi revaFirisitia. VaFirisitia ndokuti: Tarirai, vaHebheru vobuda mumakomba mavaiva vakavanda maari.
  7521. 1Sa 14:12 Zvino varume veboka revarwi vakapindura Jonatani nemutakuri wezvombo zvake, ndokuti: Kwirai kwatiri, uye tichakuzivisai chinhu. Jonatani ndokuti kumutakuri wezvombo zvake: Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavapa muruoko rwaIsraeri.
  7522. 1Sa 14:13 Zvino Jonatani wakakwira nemaoko ake uye nemakumbo ake, nemutakuri wezvombo zvake shure kwake; ivo ndokuwa pamberi paJonatani, nemutakuri wezvombo zvake akauraya shure kwake.
  7523. 1Sa 14:14 Zvino kuuraya kwekutanga Jonatani nemutakuri wezvombo zvake kwavakarova nako kwainge varume makumi maviri pangava pahafu yendima yemunda, iyo eka yevhu.
  7524. 1Sa 14:15 Zvino kwakava nekudedera pamusasa, pamunda, nepakati pevanhu vese; boka revarwi nevaparadzi vakabvundawo, nenyika yakadengenyeka; naizvozvo kwakava nekudedera kukuru.
  7525. 1Sa 14:16 Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya raBhenjamini vakaona, zvino tarira, chaunga chanyunguduka chichifamba chichiroverwa pasi.
  7526. 1Sa 14:17 Zvino Sauro wakati kuvanhu vaiva naye: Verengai ikozvino, mugoona kuti ndiani wabva kwatiri. Vakati vaverenga, tarira, Jonatani nemutakuri wezvombo zvake havapo.
  7527. 1Sa 14:18 Zvino Sauro wakati kuna Ahija: Uisa pano areka yaMwari. Nokuti areka yaMwari nezuva iro yaiva kuvana vaIsraeri.
  7528. 1Sa 14:19 Zvino zvakaitika Sauro achataurirana nemupristi, kuti ruzha rwaiva pamusasa wevaFirisitia rwakaenderera mberi uye rwuchikura. Sauro ndokuti kumupristi: Dzosa ruoko rwako.
  7529. 1Sa 14:20 Zvino Sauro nevanhu vose vaiva naye vakaungana, vakauya pahondo, zvino tarira, munondo weumwe neumwe uchirwa newekwake, nyonga-nyonga huru kwazvo.
  7530. 1Sa 14:21 Pamusoro pazvo vaHebheru vaiva kuvaFirisitia sazuro namarimwezuro, ivo vakakwira navo kumusasa kupoteredza, naivowo vakabatana naIsraeri waiva naSauro naJonatani.
  7531. 1Sa 14:22 Zvino varume vose vaIsraeri vaiva vakavanda kugomo raEfuremu vanzwa kuti vaFirisitia votiza, naivowo vakavateverera zvakaoma pahondo.
  7532. 1Sa 14:23 Naizvozvo Jehovha akaponesa Israeri nemusi uyo; kurwa kukapfuura nepaBheti-Avheni.
  7533. 1Sa 14:24 Zvino varume vaIsraeri vakamanikidzwa nezuva iro, nokuti Sauro wakapikisa vanhu achiti: Ngaatukwe munhu anodya zvekudya kusvika madekwani, kuti ndizvitsivire vavengi vangu. Naizvozvo hakuna pavanhu wakaravira zvekudya.
  7534. 1Sa 14:25 Zvino nyika yose yakasvika padondo, uye paiva neuchi pachiso chepasi.
  7535. 1Sa 14:26 Zvino vanhu vakapinda mudondo, zvino tarira, uchi hwakayerera; asi hakuna wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vanhu vakatya mhiko.
  7536. 1Sa 14:27 Asi Jonatani waiva asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nekupika; naizvozvo akatandavadza muromo wetsvimbo yaiva iri muruoko rwake, ndokuinyika muzinga reuchi, ndokudzosera ruoko rwake kumuromo wake, meso ake azarurirwa.
  7537. 1Sa 14:28 Ipapo umwe wevanhu akapindura ndokuti: Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nekupika vachiti: Munhu anodya zvekudya nhasi ngaatukwe. Asi vanhu vaiva vaziya.
  7538. 1Sa 14:29 Zvino Jonatani akati: Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu azarurirwa sei, nokuti ndaravira uchi uhu ushoma.
  7539. 1Sa 14:30 Ndoda kana nhasi vanhu vaiva vatenderwa kudya kwazvo zvezvakapambiwa zvevavengi vavo zvavakawana! Asi zvino kuuraya hakuna kuva kukuru pakati pevaFirisitia.
  7540. 1Sa 14:31 Nemusi uyo vakauraya pakati pevaFirisitia kubva paMikimashi kusvika paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.
  7541. 1Sa 14:32 Vanhu vakavhazukira zvakapambiwa, vakatora makwai nemombe nemhuru, vakazviurayira pasi; vanhu vakazvidya pamwe neropa.
  7542. 1Sa 14:33 Zvino vakaudza Sauro vachiti: Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwe neropa. Iye ndokuti: Makaita nekusatendeka; ndikungurusirei ibwe guru nhasi.
  7543. 1Sa 14:34 Zvino Sauro wakati: Pararirai pakati pevanhu, muti kwavari: Umwe neumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, uye umwe neumwe negwai rake, azviurayire pano, adye; asi murege kutadzira Jehovha muchidya pamwe neropa. Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo umwe neumwe nenzombe yake muruoko rwake, vakadziurayirapo.
  7544. 1Sa 14:35 Sauro akavakira Jehovha aritari; iyi yaiva aritari yekutanga yaakavakira Jehovha.
  7545. 1Sa 14:36 Zvino Sauro wakati: Ngatiburuke titevere vaFirisitia usiku, tigovapambara kusvika pachiedza chemangwanani. Uye ngatirege kusiya munhu kwavari. Ivo ndokuti: Itai chipi nechipi chakanaka pameso enyu. Mupristi ndokuti: Ngatiswedere kuna Mwari pano.
  7546. 1Sa 14:37 Sauro ndokubvunza Mwari: Ndoburuka nditevere vaFirisitia here? Muchavapa muruoko rwaIsraeri here? Asi haana kumupindura nezuva iroro.
  7547. 1Sa 14:38 Sauro ndokuti: Swederai pano, vose vakuru vevanhu, kuti muzive uye muone kuti chivi ichi chiri papi nhasi?
  7548. 1Sa 14:39 Nokuti Jehovha mupenyu, iye anoponesa Israeri, kunyange chiri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafa zvirokwazvo. Asi hakuna wakamupindura pakati pevanhu vose.
  7549. 1Sa 14:40 Zvino wakati kuna Israeri wese: Imwi ivai kurutivi rwumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichava kune rumwe rutivi. Vanhu ndokuti kuna Sauro: Itai zvakanaka pameso enyu.
  7550. 1Sa 14:41 Zvino Sauro wakati kuna Jehovha, Mwari waIsraeri: Ipai wakakwana. Zvino Jonatani naSauro vakabatwa, asi vanhu vakabuda.
  7551. 1Sa 14:42 Zvino Sauro wakati: Kandai mujenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu. Jonatani ndokubatwa.
  7552. 1Sa 14:43 Zvino Sauro wakati kuna Jonatani: Ndiudze chawaita. Jonatani ndokumuudza ndokuti: Pachokwadi ndakaravira uchi ushoma nemucheto wetsvimbo yaiva muruoko rwangu; tarirai ndinofanira kufa.
  7553. 1Sa 14:44 Sauro ndokuti: Mwari ngaaite saizvozvo uye ngaawedzere saizvozvo, nokuti uchafa zvekufa, Jonatani.
  7554. 1Sa 14:45 Zvino vanhu vakati kuna Sauro: Jonatani achafa here, iye wakaita ruponeso rukuru urwu kwaIsraeri? Ngazvive kure! Neupenyu hwaJehovha, hakungawiri pasi ruvhudzi rumwe rwemusoro wake; nokuti wabata pamwe naMwari nhasi. Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani kuti asafa.
  7555. 1Sa 14:46 Zvino Sauro wakakwira kubva pakutevera vaFirisitia; vaFirisitia ndokuenda kunzvimbo yavo.
  7556. 1Sa 14:47 Zvino Sauro wakatora umambo paIsraeri; ndokurwa nevavengi vake vose kunhivi dzose, kurwisa Moabhu, uye kurwisa vana vaAmoni, uye kurwisa Edhomu, uye kurwisa madzimambo aZoba, nekurwisa vaFirisitia; nepose paakatendeukira, wairanga.
  7557. 1Sa 14:48 Zvino wakaita neugamba ndokurova vaAmareki, ndokununura Israeri paruoko rwemupambi wake.
  7558. 1Sa 14:49 Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMariki-Shua; nemazita evanasikana vake vaviri: Zita redangwe raiva Merabhi, nezita remudiki Mikari.
  7559. 1Sa 14:50 Zvino zita remukadzi waSauro raiva Ahinowamu mwanasikana waAhimaazi; nezita remusoro wehondo yake raiva Abhineri mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
  7560. 1Sa 14:51 Zvino Kishi waiva baba vaSauro; naNeri baba vaAbhineri waiva mwanakomana waAbhieri.
  7561. 1Sa 14:52 Zvino paiva nehondo yakasimba kurwisa vaFirisitia mazuva ose aSauro. Zvino Sauro waiti akaona murume upi neupi ane simba kana murume upi neupi ane umhare, wakamuunganidza kwaari.
  7562. 1Sa 15:1 Zvino Samueri wakati kuna Sauro: Jehovha wakatuma ini kuti ndikuzodze kuva mambo pamusoro pevanhu vake, pamusoro paIsraeri; naizvozvo ikozvino teerera kuinzwi remashoko aJehovha.
  7563. 1Sa 15:2 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ndichacherekedza izvo zvakaita Amareki kuna Israeri, kuti wakamira sei kumurwisa naye panzira paakakwira kubva kuEgipita.
  7564. 1Sa 15:3 Zvino enda unorova Amareki, ugoparadza kwazvo zvose zvaanazvo, usamurega; asi uraya kubva kumurume kusvika kumukadzi, kubva kumucheche kusvika kune anoyamwa, kubva kumombe kusvika kugwai, kubva kukamera kusvika kumbongoro.
  7565. 1Sa 15:4 Zvino Sauro wakanzwisa vanhu, ndokuvaverenga paTeraimi, zvuru mazana maviri zvevaifamba netsoka, uye varume zvuru gumi vekwaJudha.
  7566. 1Sa 15:5 Sauro ndokusvika paguta raAmareki, ndokuvandira pamupata.
  7567. 1Sa 15:6 Sauro ndokuti kuvaKeni: Endai mubve, burukai kubva pakati pevaAmareki, zvimwe ndikubvisei pamwe navo; nokuti imwi makaita tsitsi nevana vose vaIsraeri pakukwira kwavo kubuda muEgipita. Naizvozvo VaKeni vakabva vakabuda pakati pevaAmareki.
  7568. 1Sa 15:7 Zvino Sauro wakarova Amareki kubva paHavhira kusvika wasvika paShuri riri pamberi peEgipita.
  7569. 1Sa 15:8 Zvino wakabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu, uye vanhu vose wakavaparadza kwazvo nekwakapinza kwemunondo.
  7570. 1Sa 15:9 Asi Sauro nevanhu vakarega Agagi, nezvakanakisisa zvemakwai, nezvemombe, nezvezvakakora, nemakwayana, nezvose zvakanaka, uye havana kuda kuzviparadza zvachose; asi chinhu chose chinozvidzika nechakaonda, icho vakaparadza zvachose.
  7571. 1Sa 15:10 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, richiti:
  7572. 1Sa 15:11 Ndinozvidemba kuti ndakaisa Sauro ave mambo, nokuti wadzoka kubva pakunditevera, uye haana kusimbisa mashoko angu. Zvino zvakarwadza Samueri, iye ndokuchema kuna Jehovha usiku hwose.
  7573. 1Sa 15:12 Zvino Samueri wakamuka mangwanani-ngwanani kunochingamidza Sauro. Zvino zvakaudzwa Samueri zvichinzi: Sauro wakasvika paKarimeri, tarira wakazvimisira shongwe, zvino wakatenderera, wapfuura, waburukira kuGirigari.
  7574. 1Sa 15:13 Zvino Samueri wakasvika kuna Sauro, Sauro ndokuti kwaari: Uropafadzwe iwe naJehovha; ndasimbisa shoko raJehovha.
  7575. 1Sa 15:14 Samueri ndokuti: Kuchema uku kwemakwai zvino chii munzeve dzangu, nekukuma kwemombe kwandinonzwa?
  7576. 1Sa 15:15 Sauro ndokuti: Vauya nazvo kubva kuvaAmareki, nokuti vanhu vakarega zvakanakisisa zvemakwai nezvenzombe, kuti vabaire Jehovha Mwari wenyu; asi zvakasara takaparadza zvachose.
  7577. 1Sa 15:16 Samueri ndokuti kuna Sauro: Rega, zvino ndichakuzivisa izvi Jehovha zvaataura kwandiri usiku hwuno. Iye ndokuti kwaari: Taurai.
  7578. 1Sa 15:17 Samueri ndokuti: Handiti, pawaiva mudiki pameso ako, wakava musoro wemarudzi aIsraeri? Uye Jehovha wakakuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri.
  7579. 1Sa 15:18 Jehovha ndokukutuma parwendo, ndokuti: Enda, ugonoparadza chose vatadzi, muAmareki, urwe navo kusvika ivo vapera.
  7580. 1Sa 15:19 Zvino sei usina kuteerera kuinzwi raJehovha, ndokubhururukira kuzvakapambiwa, ndokuita chakaipa pameso aJehovha?
  7581. 1Sa 15:20 Sauro ndokuti kuna Samueri: Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha, uye ndakaenda nenzira Jehovha yaakandituma, uye ndakauya naAgagi mambo waAmareki, uye ndakaparadza vaAmareki zvachose.
  7582. 1Sa 15:21 Asi vanhu vakatora pane zvakapambiwa, makwai nenzombe, zvakanaka pane zvaifanira kuparadzwa zvachose, kuti vabaire kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.
  7583. 1Sa 15:22 Samueri ndokuti: Ko Jehovha angafarira zvipo zvinopiswa nezvibairo, sezvaanoita pakuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kuri nani pane chibairo; kunzwa pane mafuta emakondohwe.
  7584. 1Sa 15:23 Nokuti upanduki hwakafanana nechivi cheuroyi, uye kusindimara nechakaipa neterafimi. Nokuti wakaramba shoko raJehovha, iyewo wakakuramba pakuva mambo.
  7585. 1Sa 15:24 Zvino Sauro wakati kuna Samueri: Ndakatadza, nokuti ndakadarika murairo waJehovha nemashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateererawo kuinzwi ravo.
  7586. 1Sa 15:25 Naizvozvo zvino, kanganwirai henyu chivi changu, mugodzoka neni, kuti ndinamate Jehovha.
  7587. 1Sa 15:26 Samueri ndokuti kuna Sauro: Handidzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba pakuva mambo pamusoro paIsraeri.
  7588. 1Sa 15:27 Samueri wakati achitendeuka kuti aende, iye ndokubata mupendero wenguvo yake, iyo ndokubvaruka.
  7589. 1Sa 15:28 Samueri ndokuti kwaari: Jehovha wabvarura umambo hwaIsraeri kubva kwauri nhasi, ndokuhupa umwe wekwako ari nani panewe.
  7590. 1Sa 15:29 Uyewo Simba raIsraeri haritauri nhema kana kuzvidemba; nokuti haasi munhu kuti azvidembe.
  7591. 1Sa 15:30 Zvino akati: Ndakatadza, ndikudzei henyu ikozvino pamberi pevakuru vevanhu vangu nepamberi paIsraeri, mudzoke neni, kuti ndinamate Jehovha Mwari wenyu.
  7592. 1Sa 15:31 Naizvozvo Samueri wakadzoka kutevera Sauro; Sauro ndokunamata kuna Jehovha.
  7593. 1Sa 15:32 Zvino Samueri wakati: Swededzai kwandiri Agagi mambo waAmareki. Agagi ndokuenda kwaari akafara. Agagi ndokuti: Zvirokwazvo kuvava kwerufu kwabva.
  7594. 1Sa 15:33 Samueri ndokuti: Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pevakadzi. Samueri ndokuguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
  7595. 1Sa 15:34 Zvino Samueri wakaenda kuRama; naSauro wakakwira kumba kwake kuGibhiya raSauro.
  7596. 1Sa 15:35 Zvino Samueri haana kuzouyazve kuona Sauro kusvika pazuva rekufa kwake; asi Samueri wakachemera Sauro; naJehovha wakazvidemba kuti waiva aisa Sauro ave mambo pamusoro paIsraeri.
  7597. 1Sa 16:1 Zvino Jehovha wakati kuna Samueri: Uchachemera Sauro kusvika rinhi, zvandakamuramba ini pakuva mambo pamusoro paIsraeri? Zadza nyanga yako nemafuta uende. Ndichakutuma kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndazvionera mambo pakati pevana vake.
  7598. 1Sa 16:2 Samueri ndokuti: Ndingaenda sei? Kana Sauro akanzwa, achandiuraya. Jehovha ndokuti: Tora tsiru remombe muruoko rwako, ugoti: Ndauya kuzobaira kuna Jehovha.
  7599. 1Sa 16:3 Zvino uchadanira Jese kuchibairo, uye ini ndichakuzivisa zvauchaita, uye uchandizodzera wandichataura kwauri.
  7600. 1Sa 16:4 Samueri ndokuita Jehovha zvaakataura, ndokusvika kuBheterehemu. Vakuru veguta ndokubvunda kusangana naye, ndokuti: Kuuya kwenyu rugare here?
  7601. 1Sa 16:5 Iye ndokuti: Rugare; ndauya kuzobaira Jehovha; zvinatsei, muuye neni kuchibairo. Zvino wakaita Jese nevanakomana vake vatsvene, akavadanira kuchibairo.
  7602. 1Sa 16:6 Zvino zvakaitika pakusvika kwavo kuti wakatarira Eriabhu, ndokuti: Zvirokwazvo, muzodzwa wake uri pamberi paJehovha.
  7603. 1Sa 16:7 Asi Jehovha wakati kuna Samueri: Usatarira pachimiro chake, kana pakureba kweurefu hwake, nokuti ndamuramba; nokuti hazvina kuita sezvinoona munhu, nokuti munhu anoona zviri pamberi pemeso, asi Jehovha anoona pamoyo.
  7604. 1Sa 16:8 Zvino Jese wakadana Abhinadhabhu ndokumupfuudza pamberi paSamueri. Asi iye wakati: Neuyu Jehovha haana kumusarudza.
  7605. 1Sa 16:9 Zvino Jese wakapfuudza Shama. Asi iye wakati: Neuyu Jehovha haana kumusarudza.
  7606. 1Sa 16:10 Jese ndokupfuudza vanomwe vevanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri ndokuti kuna Jese: Jehovha haana kusarudza ava.
  7607. 1Sa 16:11 Zvino Samueri wakati kuna Jese: Vakomana vapera here? Iye ndokuti: Kuchakasara mudikisa; zvino tarirai, anofudza makwai. Samueri ndokuti kuna Jese: Tuma umutore, nokuti hatingagari kusvika auya pano.
  7608. 1Sa 16:12 Zvino wakatuma ndokumupinza. Zvino waiva mutsvuku, ane meso akanaka, uye kutaridzika kwakanaka. Jehovha ndokuti: Simuka, ugomuzodza, nokuti ndiye.
  7609. 1Sa 16:13 Samueri ndokutora nyanga yemafuta, ndokumuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha ndokuuya nesimba pamusoro paDhavhidhi kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri wakasimuka ndokuenda kuRama.
  7610. 1Sa 16:14 Asi Mweya waJehovha waiva wabva kuna Sauro, uye mweya wakaipa waibva kuna Jehovha wakamushungurudza.
  7611. 1Sa 16:15 Zvino varanda vaSauro vakati kwaari: Tarirai zvino, mweya wakaipa waMwari unokushungurudzai.
  7612. 1Sa 16:16 Zvino tenzi wedu ngaaraire hake varanda vake vari pamberi penyu kuti vatsvake munhu anoziva kuridza mbira; zvino zvichaitika kuti mweya wakaipa waMwari pauchava pamusoro penyu, iye acharidza neruoko rwake kuti zvikunakirei.
  7613. 1Sa 16:17 Sauro ndokuti kuvaranda vake: Ndipei ikozvino munhu anoridza zvakanaka, mumuunze kwandiri.
  7614. 1Sa 16:18 Zvino umwe wemajaya wakapindura ndokuti: Tarirai, ndaona mwanakomana waJese muBheterehemu anoziva kuridza, uye munhu ane simba weumhare, uye murume wehondo, uye wakachenjera panyaya, uye munhu anotarisika, uye Jehovha anaye.
  7615. 1Sa 16:19 Naizvozvo Sauro wakatuma nhume kuna Jese ndokuti: Nditumire Dhavhidhi mwanakomana wako ari kumakwai.
  7616. 1Sa 16:20 Zvino Jese wakatora mbongoro, chingwa, nedende rewaini, nembudzana yembudzi, ndokutuma neruoko rwaDhavhidhi mwanakomana wake kuna Sauro.
  7617. 1Sa 16:21 Zvino Dhavhidhi wakasvika kuna Sauro ndokumira pamberi pake; iye ndokumuda kwazvo, ndokuva mutakuri wezvombo zvake.
  7618. 1Sa 16:22 Sauro ndotuma kuna Jese achiti: Dhavhidhi ngaamire hake pamberi pangu, nokuti wawana nyasha pameso angu.
  7619. 1Sa 16:23 Zvino zvakaitika mweya waMwari pawaiva pamusoro paSauro kuti Dhavhidhi wakatora mbira ndokuridza neruoko rwake; Sauro ndokuvandudzwa, akava wakanaka kwaari, mweya wakaipa ndokubva kwaari.
  7620. 1Sa 17:1 Zvino vaFirisitia vakaunganidzira varwi vavo hondo, ndokuungana paSoko raiva raJudha, ndokuvaka misasa pakati peSoko naAzeka paEfesi-Damimi.
  7621. 1Sa 17:2 Sauro nevarume vaIsraeri vakaunganawo, ndokuvaka misasa pamupata weEra, ndokuronga hondo kurwa nevaFirisitia.
  7622. 1Sa 17:3 VaFirisitia vaiva vamire pagomo kurutivi rwuno, uye vaIsraeri vaiva vamire pagomo kurutivi urwo; uye mupata waiva pakati pavo.
  7623. 1Sa 17:4 Zvino kwakabuda mhare kubva kumisasa yevaFirisitia, zita rake raiva Goriati, weGati; urefu hwake hwaiva makubhiti matanhatu nechanza.
  7624. 1Sa 17:5 Zvino kwaiva nengowani yendarira pamusoro wake, uye waiva akapfeka jazi reutare raiva nemakwanda, uye uremu hwejazi reutare hwaiva mashekeri zvuru zvishanu zvendarira.
  7625. 1Sa 17:6 Waiva nezvidzitiro zvendarira pamakumbo ake, nemharu yendarira pakati pemafudzi ake.
  7626. 1Sa 17:7 Danda repfumo rake raiva rakafanana nepuranga remuruki; nebanga repfumo rake raiva mashekeri mazana matanhatu ematare; uye mutakuri wenhovo waifamba mberi kwake.
  7627. 1Sa 17:8 Zvino wakamira ndokudanidzira kumauto akarongwa aIsraeri, ndokuti kwavari: Mabudirei kuronga hondo? Handisi muFirisitia, nemwi varanda vaSauro here? Imwi muzvitsaurire murume, aburukire kwandiri.
  7628. 1Sa 17:9 Kana akagona kurwa neni ndokundiuraya, tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda ndokumuuraya, muchava varanda vedu, uye muchatishandira.
  7629. 1Sa 17:10 MuFirisitia ndokuti: Ini ndinoshoora mauto akarongwa aIsraeri nhasi. Ndipei murume kuti tirwisane.
  7630. 1Sa 17:11 Sauro naIsraeri wose pavakanzwa mashoko awa emuFirisitia vakavhunduka ndokutya kwazvo.
  7631. 1Sa 17:12 Zvino Dhavhidhi waiva mwanakomana wemuEfurati uyo weBheterehemu-Judha wezita rainzi Jese; iye waiva nevanakomana vasere; uye munhu uyu waifamba ari mutana pakati pevarume pamazuva aSauro.
  7632. 1Sa 17:13 Zvino vanakomana vatatu vakuru vaJese vakaenda vatevera Sauro kuhondo. Zvino mazita evanakomana vake vatatu vakaenda kuhondo aiva: Eriabhu dangwe, iye tevere kwaari Abhinadhabhu, uye wechitatu Shama.
  7633. 1Sa 17:14 Zvino Dhavhidhi ndiye waiva mudikisa; uye vatatu vakuru vakatevera Sauro.
  7634. 1Sa 17:15 Zvino Dhavhidhi waienda achidzoka kubva kuna Sauro, kufudza makwai ababa vake paBheterehemu.
  7635. 1Sa 17:16 Zvino muFirisitia waiswedera mangwanani nemadekwani achizvimisa mazuva makumi mana.
  7636. 1Sa 17:17 Zvino Jese wakati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake: Torera hako madzikoma ako efa yezviyo zvakakangwa izvi, nezvingwa izvi gumi, umhanyire kumusasa kumadzikoma ako.
  7637. 1Sa 17:18 Asi mapundu emukaka wakafa awa gumi uvigire mukuru wechuru; uye utarise kugara zvakanaka kwevakuru vako, ugotora chibatiso chavo.
  7638. 1Sa 17:19 Zvino Sauro, navo, nevarume vose vaIsraeri vaiva pamupata weEra vachirwa nevaFirisitia.
  7639. 1Sa 17:20 Dhavhidhi ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokusiya makwai nemurindi, ndokutora ndokuenda Jese sezvaakamuraira. Zvino wakasvika pamudungwe wengoro, apo varwi vobuda kuenda kuhondo yakarongwa, vachidanidzira hondo.
  7640. 1Sa 17:21 Zvino Israeri nevaFirisitia vakaronga hondo, hondo yakarongwa yakatarisana nehondo yakarongwa.
  7641. 1Sa 17:22 Zvino Dhavhidhi wakasiya midziyo yake muruoko rwemurindi wemidziyo, ndokumhanyira kuhondo yakarongwa. Zvino wakasvika ndokubvunza madzikoma ake upenyu.
  7642. 1Sa 17:23 Zvino paaitaura navo, tarira, kwakakwira mhare, zita rake raiva Goriati, muFirisitia weGati, achibuda kubva kumauto evaFirisitia, ndokutaura zvinoenderana nemashoko awa; Dhavhidhi ndokunzwa.
  7643. 1Sa 17:24 Zvino varume vose vaIsraeri pavakaona murume uyu, vakamutiza, vachitya kwazvo.
  7644. 1Sa 17:25 Varume vaIsraeri ndokuti: Maona here murume uya wakwira? Nokuti wakwira kushoora Israeri; zvino zvichava kuti murume anomuuraya, mambo achamufumisa nefuma yakakura, uye achamupa mwanasikana wake, neimba yababa vake agoiita yakasununguka kwaIsraeri.
  7645. 1Sa 17:26 Zvino Dhavhidhi wakataura kuvarume vaiva vamire naye, achiti: Chii chichaitwa kumurume achauraya muFirisitia uyu, uye akabvisa kushoorwa kubva kuna Israeri? Nokuti ndiyani uyu muFirisitia asina kudzingiswa, kuti ashore hondo dzakarongwa dzaMwari mupenyu?
  7646. 1Sa 17:27 Vanhu ndokumupindura zvichienderana neshoko iri vachiti: Zvichaitwa seizvi kumurume anomuuraya.
  7647. 1Sa 17:28 Zvino Eriabhu mukoma wake mukurusa wakanzwa paakataura nevarume avo, kutsamwa kwaEriabhu ndokupfutira Dhavhidhi, ndokuti: Waburukirei pano? Makwai awo mashoma waasiya nani murenje? Ini ndinoziva manyawi ako nekuipa kwemoyo wako, nokuti waburuka kuona hondo.
  7648. 1Sa 17:29 Dhavhidhi ndokuti: Zvino ndaitei? Ranga risiri shoko haro here?
  7649. 1Sa 17:30 Zvino wakamufuratira akaenda kune umwe, ndokutaura zvinoenderana neshoko iri; zvino vanhu vakamudzosera shoko seshoko repakutanga.
  7650. 1Sa 17:31 Paakanzwikwa mashoko Dhavhidhi aakataura, vakaataura pamberi paSauro; iye ndokumutora.
  7651. 1Sa 17:32 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Sauro: Moyo wemunhu ngaurege kupera nekuda kwake; muranda wenyu achaenda ndokurwa nemuFirisitia uyo.
  7652. 1Sa 17:33 Zvino Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Haugoni kuenda kumuFirisitia uyu kunorwa naye, nokuti iwe uri mudiki uye iye murume wehondo kubva paudiki hwake.
  7653. 1Sa 17:34 Dhavhidhi ndokuti kuna Sauro: Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake, zvino kwakasvika shumba nebere, ndokutora gwayana paboka.
  7654. 1Sa 17:35 Zvino ndakabuda ndikaitevera, ndokuirova, ndikanunura kubva mumuromo mayo. Payakandimukira, ndakaibata nendebvu dzayo, ndokuirova ndokuiuraya.
  7655. 1Sa 17:36 Muranda wenyu wakauraya zviviri shumba nebere. Zvino muFirisitia uyu asina kudzingiswa achava sechimwe chazvo, zvaakashoora hondo dzakarongwa dzaMwari mupenyu.
  7656. 1Sa 17:37 Dhavhidhi ndokuti: Jehovha wakandinunura kubva panzara dzeshumba nekubva panzara dzebere, iye achandinunura kubva paruoko rwemuFirisitia uyu. Sauro ndokuti kuna Dhavhidhi: Enda, uye Jehovha ngaave newe.
  7657. 1Sa 17:38 Sauro ndokupfekedza Dhavhidhi nguvo dzake, uye wakaisa ngowani yendarira pamusoro wake, ndokumupfekedza jazi reutare.
  7658. 1Sa 17:39 Zvino Dhavhidhi wakasungira muchiuno munondo wake pamusoro penguvo dzake, akada kufamba, nokuti waiva asina kuidza. Dhavhidhi ndokuti kuna Sauro: Handigoni kufamba nezvinhu izvi, nokuti handina kudziidza. Dhavhidhi ndokudzibvisa kubva kwaari.
  7659. 1Sa 17:40 Zvino wakatora tsvimbo yake muruoko rwake, ndokuzvisarudzira hurungudo shanu kubva murukova, ndokudziisa muhombodo yemufudzi yaaiva nayo, imo munhava; chifuramabwe cherwodzi chake chaiva muruoko rwake; ndokuswedera kumuFirisitia.
  7660. 1Sa 17:41 Zvino muFirisitia wakaenda ndokuenda kuswedera kuna Dhavhidhi; nemunhu waitakura nhovo waiva mberi kwake.
  7661. 1Sa 17:42 MuFirisitia wakati achitarisisa ndokuona Dhavhidhi ndokumuzvidza, nokuti waiva ari mukomana, uye ari mutsvuku, ane kutaridzika kwakanaka.
  7662. 1Sa 17:43 Zvino muFirisitia wakati kuna Dhavhidhi: Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo? MuFirisitia ndokutuka Dhavhidhi navamwari vake.
  7663. 1Sa 17:44 MuFirisitia ndokuti kuna Dhavhidhi: Uya kwandiri, zvino ndichapa nyama yako kushiri dzekumatenga nekuzvikara zvesango.
  7664. 1Sa 17:45 Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia: Iwe unouya kwandiri nemunondo uye nepfumo uye nechidzitiro; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzakarongwa dzaIsraeri, waunoshoora.
  7665. 1Sa 17:46 Nhasi Jehovha achakupfigira muruoko rwangu; zvino ndichakurova, ndigobvisa musoro wako pauri, ndichapa zvitunha zvehondo dzevaFirisitia kushiri dzekumatenga nekuzvikara zvenyika nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari ariko kwaIsraeri.
  7666. 1Sa 17:47 Uye ungano iyi yose ichaziva kuti Jehovha haaponesi nemunondo kana nepfumo, nokuti hondo ndeyaJehovha, uye achakupai muruoko rwedu.
  7667. 1Sa 17:48 Zvino zvakaitika muFirisitia paakasimuka achifamba achiswedera kunochingamidza Dhavhidhi, kuti Dhavhidhi wakakurumidza, ndokumhanyira kuhondo yakarongwa kunochingamidza muFirisitia.
  7668. 1Sa 17:49 Zvino Dhavhidhi wakaisa ruoko rwake muhombodo, ndokutoramo ibwe, ndokuripotsera, ndokurova muFirisitia pahuma yake kusvika ibwe ranyura muhuma yake, zvino akawira pasi nechiso chake.
  7669. 1Sa 17:50 Naizvozvo Dhavhidhi wakakunda muFirisitia nechifuramabwe cherwodzi uye nebwe, ndokurova muFirisitia, ndokumuuraya; asi kwaiva kusina munondo muruoko rwaDhavhidhi.
  7670. 1Sa 17:51 Naizvozvo Dhavhidhi wakamhanya, ndokumira pamusoro pemuFirisitia, ndokutora munondo wake, ndokuuvhomora kubva mumuhara wawo, ndokumuuraya, uye wakagura musoro wake nawo. VaFirisitia pavakaona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
  7671. 1Sa 17:52 Zvino varume vaIsraeri nevaJudha vakasimuka ndokudanidzira ndokudzingirira vaFirisitia kusvika wasvika paGati nekumasuwo eEkironi. Zvino vakakuvadzwa vevaFirisitia vakawira pasi panzira yeShaaraimi kusvikawo kuGati nekuEkironi.
  7672. 1Sa 17:53 Zvino vana vaIsraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
  7673. 1Sa 17:54 Zvino Dhavhidhi wakatora musoro wemuFirisitia, ndokumuunza kuJerusarema, asi wakaisa zvombo zvake mutende rake.
  7674. 1Sa 17:55 Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kunochingamidza muFirisitia, wakati kuna Abhineri musoro wehondo: Abhineri, mwanakomana waani mukomana uyu? Abhineri ndokuti: Neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, mambo, handizivi.
  7675. 1Sa 17:56 Mambo ndokuti: Bvunza iwe kuti mwanakomana waani mukomana uyu.
  7676. 1Sa 17:57 Zvino Dhavhidhi paaiva adzoka pakuuraya muFirisitia, Abhineri wakamutora ndokumuisa pamberi paSauro, ane musoro wemuFirisitia muruoko rwake.
  7677. 1Sa 17:58 Sauro ndokuti kwaari: Uri mwanakomana waani, jaya? Dhavhidhi ndokuti: Ndiri mwanakomana wemuranda wenyu Jese muBheterehemu.
  7678. 1Sa 18:1 Zvino zvakaitika paakapedza kutaura naSauro, kuti mweya weupenyu waJonatani wakasunganidzwa pamweya weupenyu waDhavhidhi; Jonatani ndokumuda semweya weupenyu wake.
  7679. 1Sa 18:2 Zvino Sauro wakamutora nezuva iro, akasazomutendera kudzokera kumba kwababa vake.
  7680. 1Sa 18:3 Zvino Jonatani naDhavhidhi vakaita sungano, nokuti wakamuda semweya weupenyu wake.
  7681. 1Sa 18:4 Jonatani ndokukurura jazi raaiva akapfeka ndokuripa kuna Dhavhidhi, nezvipfeko zvake, kusvika kumunondo wake, uye kusvika kuuta hwake, uye kusvika kubhanhire rake.
  7682. 1Sa 18:5 Dhavhidhi ndokubuda kuenda kose Sauro kwaaimutuma, akazvibata neuchenjeri; Sauro ndokumuisa pamusoro pevarume vehondo; akava wakanaka pameso evanhu vose, uyewo pameso evaranda vaSauro.
  7683. 1Sa 18:6 Zvino zvakaitika pakusvika kwavo, Dhavhidhi paakadzoka pakuuraya muFirisitia, kuti vakadzi vakabuda kumaguta ose aIsraeri vachiimba uye vachitamba kuchingamidza mambo Sauro nengoma, nemufaro, uye nezviridzwa.
  7684. 1Sa 18:7 Vakadzi ndokubvumirana vachitamba ndokuti: Sauro wakauraya zvuru zvemazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru ake.
  7685. 1Sa 18:8 Sauro ndokutsamwa kwazvo, uye shoko iri raiva rakaipa pameso ake, iye ndokuti: Vapa kuna Dhavhidhi makumi ezvuru zvemazana, asi ini vandipa zvuru. Zvino wasarirwa neumambo hwega?
  7686. 1Sa 18:9 Zvino Sauro wakagodora Dhavhidhi kubva pazuva iroro zvichienda mberi.
  7687. 1Sa 18:10 Zvino zvakaitika chifume kuti mweya wakaipa waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, iye ndokuporofita mukati meimba; Dhavhidhi ndokuridza neruoko rwake sepane dzimwe nguva; zvino maiva nepfumo muruoko rwaSauro.
  7688. 1Sa 18:11 Zvino Sauro wakapotsera pfumo, ndokuti: Ndichabaira Dhavhidhi nepamadziro. Asi Dhavhidhi wakanzvenga kaviri kubva pamberi pake.
  7689. 1Sa 18:12 Zvino Sauro wakatya Dhavhidhi nokuti Jehovha waiva naye uye waiva abva kuna Sauro.
  7690. 1Sa 18:13 Naizvozvo Sauro wakamubvisa kwaari, ndokumuisa kuva mukuru wechuru wake; zvino akabuda nekupinda pamberi pevanhu.
  7691. 1Sa 18:14 Zvino Dhavhidhi wakazvibata neuchenjeri panzira dzake dzose; Jehovha ndokuva naye.
  7692. 1Sa 18:15 Sauro paakaona kuti anozvibata neuchenjeri kwazvo, ndokumutya.
  7693. 1Sa 18:16 Asi Israeri wose naJudha vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nekupinda pamberi pavo.
  7694. 1Sa 18:17 Zvino Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichamupa kwauri kuva mukadzi; koga iva mhare kwandiri, ugorwa hondo dzaJehovha. Nokuti Sauro wakati: Ruoko rwangu ngarurege kuva pamusoro pake, asi ruoko rwevaFirisitia ngaruve pamusoro pake.
  7695. 1Sa 18:18 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Sauro: Ndini ani, uye upenyu hwangu chii, nemhuri yababa vangu kwaIsraeri, kuti ndive mukwasha wamambo?
  7696. 1Sa 18:19 Asi zvakaitika panguva Merabhi mukunda waSauro yaaizopiwa kuna Dhavhidhi, kuti iye wakapiwa kuna Adhirieri muMehorati kuva mukadzi.
  7697. 1Sa 18:20 Zvino Mikari mukunda waSauro waida Dhavhidhi; zvino vakaudza Sauro, nyaya iyi ndokuva yakarurama pameso ake.
  7698. 1Sa 18:21 Sauro ndokuti: Ndichamupa iye, kuti ave musungo kwaari, uye kuti ruoko rwevaFirisitia rwumurwise. Naizvozvo Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Kechipiri uchava mukwasha wangu nhasi.
  7699. 1Sa 18:22 Zvino Sauro wakaraira varanda vake achiti: Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muchiti: Tarira, mambo anofara mauri, nevaranda vake vose vanokuda; naizvozvo ikozvino chiva mukwasha wamambo.
  7700. 1Sa 18:23 Zvino varanda vaSauro vakataura mashoko awo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi ndokuti: Chinhu chakareruka pameso enyu here kuva mukwasha wamambo, zvandiri munhu murombo uye anozvidzika?
  7701. 1Sa 18:24 Varanda vaSauro ndokumuudza vachiti: Dhavhidhi wataura semashoko awa.
  7702. 1Sa 18:25 Sauro ndokuti: Muchataura saizvozvo kuna Dhavhidhi: Mambo haashuvi roora, asi zvikanda zvepamberi zana zvevaFirisitia, kuti kutsiviwe vavengi vamambo. Asi Sauro wakafunga kuita Dhavhidhi awe neruoko rwevaFirisitia.
  7703. 1Sa 18:26 Varanda vake pavakaudza Dhavhidhi mashoko awa, nyaya yakava yakanaka pameso paDhavhidhi kuva mukwasha wamambo. Asi mazuva aiva asati azadzisika.
  7704. 1Sa 18:27 Naizvozvo Dhavhidhi wakasimuka ndokuenda iye nevarume vake, ndokuuraya varume mazana maviri pakati pevaFirisitia; Dhavhidhi ndokuuya nezvikanda zvavo zvepamberi, ndokuzvipa zvakakwana kuna mambo, kuti ave mukwasha wamambo. Sauro ndokumupa Mikari mukunda wake kuva mukadzi.
  7705. 1Sa 18:28 Zvino Sauro wakaona uye wakaziva kuti Jehovha waiva naDhavhidhi. Mikari mukunda waSauro ndokumuda.
  7706. 1Sa 18:29 Zvino Sauro waiva achiri kutyazve Dhavhidhi; uye Sauro wakava muvengi waDhavhidhi mazuva ose.
  7707. 1Sa 18:30 Zvino machinda evaFirisitia akabuda, zvikaitika kuti pose paaibuda Dhavhidhi waizvibata neuchenjeri kupfuura varanda vose vaSauro, kusvika zita rake rakurumbira kwazvo.
  7708. 1Sa 19:1 Zvino Sauro wakataura kuna Jonatani mwanakomana wake nekuvaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani mwanakomana waSauro wakafarira Dhavhidhi kwazvo.
  7709. 1Sa 19:2 Jonatani ndokuudza Dhavhidhi achiti: Sauro baba vangu vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjerera hako mangwana, uye ugare pakavanda, uvande.
  7710. 1Sa 19:3 Zvino ini ndichabuda ndokumira parutivi rwababa vangu musango mauri. Zvino ini ndichataurirana nababa vangu pamusoro pako; uye zvandichaona ndichakuudzawo.
  7711. 1Sa 19:4 Zvino Jonatani wakataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake, ndokuti kwavari: Mambo ngaarege kutadzira muranda wake kurwisa Dhavhidhi, nokuti haana kukutadzirai imwi, uye nokuti mabasa ake akarurama zvikuru kwamuri.
  7712. 1Sa 19:5 Nokuti wakaisa upenyu hwake muruoko rwake, ndokuuraya muFirisitia; Jehovha ndokuitira Israeri wose ruponeso rukuru; makaona uye makafara. Zvino munotadzirirei ropa risina mhosva, kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?
  7713. 1Sa 19:6 Zvino Sauro wakateerera kuinzwi raJonatani, Sauro ndokupika achiti: NaJehovha mupenyu, haangaurawi.
  7714. 1Sa 19:7 Zvino Jonatani wakadana Dhavhidhi, Jonatani ndokumuudza mashoko ose awa. Jonatani ndokuunza Dhavhidhi kuna Sauro; zvino akava pamberi pake sazuro namarimwezuro.
  7715. 1Sa 19:8 Zvino kwakavazve nehondo; Dhavhidhi ndokubuda ndokurwa nevaFirisitia. Zvino wakavarova nekurova kukuru kusvika vatiza pachiso chake.
  7716. 1Sa 19:9 Zvino mweya wakaipa waJehovha wakava pamusoro paSauro agere mumba make, uye pfumo rake riri muruoko rwake; Dhavhidhi ndokuridza neruoko rwake.
  7717. 1Sa 19:10 Zvino Sauro wakatsvaka kubaira Dhavhidhi nemumadziro nepfumo; asi wakapukunyuka pakuonekwa naSauro, iye ndokubaira pfumo nemumadziro; Dhavhidhi ndokutiza, ndokupukunyuka usiku uhwo.
  7718. 1Sa 19:11 Zvino Sauro wakatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nekumuuraya mangwanani. Mikari mukadzi wake ndokuudza Dhavhidhi achiti: Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku huno, uchaurawa mangwana.
  7719. 1Sa 19:12 Naizvozvo Mikari wakaburusa Dhavhidhi nepahwindo; zvino akaenda, ndokutiza, ndokupukunyuka.
  7720. 1Sa 19:13 Zvino Mikari wakatora chifananidzo ndokuisa pamubhedha, ndokuisa mutsago wemvere dzembudzi panzvimbo yemusoro wake, ndokufukidza nemucheka.
  7721. 1Sa 19:14 Sauro paakatuma nhume kutora Dhavhidhi, iye ndokuti: Anorwara.
  7722. 1Sa 19:15 Sauro ndokutuma nhume kuzoona Dhavhidhi achiti: Mukwidzei kwandiri ari mumubhedha kuti aurayiwe.
  7723. 1Sa 19:16 Nhume padzakapinda, zvino tarira, chifananidzo chiri mumubhedha uye mutsago wemvere dzembudzi panzvimbo yemusoro wake.
  7724. 1Sa 19:17 Zvino Sauro wakati kuna Mikari: Wandinyengedzerei kudai, ndokurega muvengi wangu achienda, zvino wapukunyuka? Mikari ndokuti kuna Sauro: Iye wakati kwandiri: Ndirege ndiende; ndichakuurayirei?
  7725. 1Sa 19:18 Saizvozvo Dhavhidhi wakatiza, ndokupukunyuka, ndokusvika kuna Samueri kuRama, ndokumuudza zvose Sauro zvaakaita kwaari. Zvino iye naSamueri ndokuenda ndokugara paNaioti.
  7726. 1Sa 19:19 Zvino zvakaudzwa Sauro zvichinzi: Tarirai, Dhavhidhi ari paNaioti paRama.
  7727. 1Sa 19:20 Sauro ndokutuma nhume kunotora Dhavhidhi; pavakaona boka revaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri pamusoro pavo, Mweya waMwari ndokuva pamusoro penhume dzaSauro, zvino vakaporofita naivowo.
  7728. 1Sa 19:21 Pakaudzwa Sauro, wakatuma dzimwe nhume; naidzo dzikaporofitawo. Zvino Sauro wakatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.
  7729. 1Sa 19:22 Naiye wakaendawo kuRama, ndokusvika patsime guru riri paSeku, ndokubvunza ndokuti: Vana Samueri naDhavhidhi varipi? Zvikanzi: Tarirai, paNaioti paRama.
  7730. 1Sa 19:23 Zvino wakaendako kuNaioti paRama, zvino Mweya waMwari wakava pamusoro pakewo, akafamba achifamba achiporofita kusvika asvika paNaioti paRama.
  7731. 1Sa 19:24 Naiyewo wakakurura nguvo dzake, naiye wakaporofita pamberi paSamueri, ndokurara pasi akashama zuva iro rose neusiku ihwo hwose. Saka vachiti: Sauro naiye ari pakati pevaporofita here?
  7732. 1Sa 20:1 Zvino Dhavhidhi wakatiza kubva paNaioti paRama, ndokusvika ndokuti pamberi paJonatani: Ndaitei? Chitadzo changu chii, uye chivi changu chii pamberi pababa vako kuti vatsvake mweya wangu?
  7733. 1Sa 20:2 Iye ndokuti kwaari: Ngazvive kure, haungafi; tarira, baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chinhu chidiki vakasachiratidza munzeve dzangu; zvino baba vangu vangandivanzirei chinhu ichi? Hazvisi izvo.
  7734. 1Sa 20:3 Zvino Dhavhidhi wakapikazve ndokuti: Baba vako vanoziva zvekuziva kuti ndakawana nyasha pameso ako; naizvozvo vanoti: Jonatani ngaarege kuziva izvi, zvimwe angarwadziwa; asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wako mupenyu, kunongova nenhabwe pakati pangu nerufu.
  7735. 1Sa 20:4 Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi: Izvo zvinoreva mweya weupenyu wako, ndichakuitira izvozvo.
  7736. 1Sa 20:5 Dhavhidhi ndokuti kuna Jonatani: Tarira, mangwana kugara kwemwedzi, zvino ini ndakafanira kugara zvekugara pakudya namambo; asi ndirege ndiende ndinovanda musango kusvika ava madekwani echitatu.
  7737. 1Sa 20:6 Kana baba vako vakandishaya zvekundishaya, uchati: Dhavhidhi wakandikumbira kwazvo kuti amhanyire Bheterehemu guta rekwake; nokuti kune chibairoko chegore negore chinoitirwa mhuri yose.
  7738. 1Sa 20:7 Kana vakataura seizvi: Zvakanaka; muranda wako achava nerugare; asi kana vakatsamwa zvekutsamwa, ziva kuti chakaipa chakanangiwa naivo.
  7739. 1Sa 20:8 Naizvozvo itira muranda wako tsitsi; nokuti waunza muranda wako musungano yaJehovha newe; asi kana kune chitadzo kwandiri, ndiuraye iwe; nokuti uchandiisirei kuna baba vako?
  7740. 1Sa 20:9 Jonatani ndokuti: Ngazvive kure neni. Nokuti dai ndaiziva zvekuziva kuti chakaipa chakanangwa nababa vangu kuti chikuwire, handisaikuudza izvozvo here?
  7741. 1Sa 20:10 Dhavhidhi ndokuti kuna Jonatani: Ndiani achandiudza, ko kana baba vako vakupindura nehasha?
  7742. 1Sa 20:11 Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi: Uya, zvino ngatibude tiende kusango. Zvino vakabuda vari vaviri kuenda kusango.
  7743. 1Sa 20:12 Zvino Jonatani wakati kuna Dhavhidhi: Jehovha Mwari waIsraeri, pandinenge ndabvunzurudza baba vangu nenguva inenge ino mangwana kana kuswera mangwana, kana, tarira, zvakanaka kuna Dhavhidhi, kana ndisingakutumiri kwamuri nenguva iyo ndikazviratidza munzeve dzenyu,
  7744. 1Sa 20:13 Jehovha ngaaite saizvozvo kuna Jonatani uye naizvozvo aitezve, kana kuipa pamusoro pako kwakanaka kuna baba vangu, ndichakuratidza munzeve dzako, ndichakurega uende kuti uende nerugare; uye Jehovha ave newe, sezvaaiva nababa vangu.
  7745. 1Sa 20:14 Haungandiitiri here tsitsi dzaJehovha kunyange kana ndichiri mupenyu, kuti ndisafa?
  7746. 1Sa 20:15 Asi haungaguri tsitsi dzako kubva kune veimba yangu nekusingaperi; uye kwete Jehovha paanenge agura vavengi vaDhavhidhi, umwe neumwe abve pachiso chenyika.
  7747. 1Sa 20:16 Naizvozvo Jonatani wakaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti: Jehovha ngaakutsvake paruoko rwevavengi vaDhavhidhi.
  7748. 1Sa 20:17 Jonatani ndokuwedzera kupikisa Dhavhidhi, nokuti waimuda, nokuti wakamuda nerudo rwemweya weupenyu wake.
  7749. 1Sa 20:18 Zvino Jonatani ndokuti kwaari: Mangwana kugara kwemwedzi, uye uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichava chisina chinhu.
  7750. 1Sa 20:19 Kana wagara mazuva matatu, zvirokwazvo uchakurumidza kuburuka ugouya kunzvimbo iya pawakavanda nemusi wenyaya iyo; uye uchagara pabwe Ezeri.
  7751. 1Sa 20:20 Zvino ini ndichapotsera miseve mitatu kurutivi, sendinofura chiratidzo chakatimikwa.
  7752. 1Sa 20:21 Zvino, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti: Enda unotsvaka miseve. Kana ndikatongoti kumukomana: Tarira miseve iri nechekuno kwako, itore, uuye, nokuti kune rugare kwauri, uye hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
  7753. 1Sa 20:22 Asi kana ndikataura seizvi kumukomana: Tarira, miseve iri mberi kwako, enda, nokuti Jehovha wakurega uchienda.
  7754. 1Sa 20:23 Zvino maererano nenyaya yatataura ini newe, tarira, Jehovha ari pakati pako neni kusvika rinhi narinhi.
  7755. 1Sa 20:24 Naizvozvo Dhavhidhi wakanovanda musango; pakugara kwemwedzi mambo akagara pakudya kuti adye.
  7756. 1Sa 20:25 Mambo ndokugara pachigaro chake sepanguva dzose pachigaro pamadziro, Jonatani ndokusimuka, uye Abhineri wakagara parutivi rwaSauro; asi nzvimbo yaDhavhidhi yaiva isina chinhu.
  7757. 1Sa 20:26 Asi Sauro haana kutaura chinhu nezuva iroro; nokuti wakati: Chimwe chinhu chamuwira, haana kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.
  7758. 1Sa 20:27 Zvino zvakaitika chifume, zuva rechipiri rekugara kwemwedzi, kuti chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa chinhu; Sauro ndokuti kuna Jonatani mwanakomana wake: Mwanakomana waJese waregerei kuuya kuzvekudya kunyange zuro kana nhasi?
  7759. 1Sa 20:28 Jonatani ndokupindura Sauro achiti: Dhavhidhi wakakumbira kwazvo kwandiri kuti aende kuBheterehemu.
  7760. 1Sa 20:29 Uye wakati: Nditenderewo ndiende, nokuti vemhuri yedu vane chibairo muguta; uye mukoma wangu pachake wakandiraira kuvapo. Zvino ikozvino kana ndawana tsitsi pameso ako, rega hako ndiende kuti ndinoona hama dzangu. Naizvozvo haana kuuya kutafura yamambo.
  7761. 1Sa 20:30 Ipapo kutsamwa kwaSauro kwakapfutira Jonatani, ndokuti kwaari: Mwanakomana wemukadzi wakatsauka wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakasarudza mwanakomana waJese chive chinyadzo chako uye chive chinyadzo chekushama kwamai vako?
  7762. 1Sa 20:31 Nokuti mazuva ose mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika, haungamiri iwe neumambo hwako. Naizvozvo zvino tuma umuunze kwandiri, nokuti iye mwanakomana werufu.
  7763. 1Sa 20:32 Jonatani ndokupindura Sauro baba vake, ndokuti kwavari: Achaurairwei? Waitei?
  7764. 1Sa 20:33 Sauro ndokupotsera pfumo kwaari kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti zvakanangwa nababa vake kuuraya Dhavhidhi.
  7765. 1Sa 20:34 Naizvozvo Jonatani wakasimuka patafura pakupfuta kwekutsamwa, uye haana kudya zvekudya nezuva repiri rekugara kwemwedzi; nokuti wakava neshungu pamusoro paDhavhidhi, nokuti baba vake vakamunyadzisa.
  7766. 1Sa 20:35 Zvino zvakaitika mangwanani kuti Jonatani wakabuda kuenda kusango nenguva yakatarwa naDhavhidhi, nemukomana mudiki anaye.
  7767. 1Sa 20:36 Zvino wakati kumukomana wake: Mhanya, tsvaka hako miseve yandinopotsera. Mukomana paaimhanya, iye wakapotsera museve mberi kwake.
  7768. 1Sa 20:37 Mukomana wakati achisvika panzvimbo yemuseve Jonatani waakapotsera, Jonatani wakadanidzira shure kwemukomana, ndokuti: Museve hausi mberi kwako here?
  7769. 1Sa 20:38 Jonatani wakadanidzirazve shure kwemukomana achiti: Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani ndokunonga museve, ndokuuya kuna tenzi wake.
  7770. 1Sa 20:39 Asi mukomana haana kuziva chinhu; Jonatani naDhavhidhi ndivo vega vakaziva shoko iro.
  7771. 1Sa 20:40 Zvino Jonatani wakapa mukomana waiva anaye zvombo zvake, ndokuti kwaari: Enda, uzvitakurire kuguta.
  7772. 1Sa 20:41 Mukomana paakangoenda, Dhavhidhi wakasimuka kubva panzvimbo akananga kuchamhembe, ndokuwira pasi nechiso chake, ndokukotama katatu, zvino vakatsvodana, vakachema misodzi vose, kusvika Dhavhidhi anyanyisa.
  7773. 1Sa 20:42 Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi: Enda nerugare, sezvo tapika tiri vaviri nezita raJehovha tichiti: Jehovha ngaave pakati pangu newe uye pakati pembeu yangu nembeu yako nekusingaperi. Iye ndokusimuka ndokubva, Jonatani ndokuenda muguta.
  7774. 1Sa 21:1 Zvino Dhavhidhi wakauya kuNobhi kuna Ahimereki mupristi; Ahimereki ndokudedera pakusangana naDhavhidhi; ndokuti kwaari: Sei iwe uri wega, uye kusina munhu anewe?
  7775. 1Sa 21:2 Dhavhidhi ndokuti kuna Ahimereki mupristi: Mambo wakandiraira basa, uye wakati kwandiri: Ngakurege kuva nemunhu anoziva chinhu chipi nechipi chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Uye majaya ndaazivisa zvenzvimbo yakadai neyakadai.
  7776. 1Sa 21:3 Zvino ikozvino, chii chiri pasi peruoko rwako? Ipai muruoko rwangu zvingwa zvishanu, kana zvingawanikwa.
  7777. 1Sa 21:4 Mupristi ndokupindura Dhavhidhi ndokuti: Hapana chingwa chakajairika pasi peruoko rwangu, asi pane chingwa chitsvene; koga kana majaya akazvichengeta pavakadzi.
  7778. 1Sa 21:5 Dhavhidhi ndokupindura mupristi ndokuti kwaari: Zvirokwazvo vakadzi vakadzivirirwa kwatiri mazuva angava matatu pakubuda kwangu; uye nhumbi dzemajaya itsvene, asi neimwe nzira chingwa chakajairika, uye pamusoro peizvi, nokuti nhasi chaitwa chitsvene panhumbi.
  7779. 1Sa 21:6 Naizvozvo mupristi wakamupa chingwa chitsvene, nokuti paiva pasina chingwa ipapo, kunze kwechingwa chekuratidza, chaiva chabviswa pamberi paJehovha, kuti kuiswe chingwa chinopisa nezuva rekubviswa kwacho.
  7780. 1Sa 21:7 Zvino kwaiva ipapo neumwe wevaranda vaSauro nezuva iroro akabatirirwa pamberi paJehovha, zvino zita rake raiva Dhoegi muEdhomu, mukuru wevafudzi vaiva vaSauro.
  7781. 1Sa 21:8 Dhavhidhi ndokuti kuna Ahimereki: Kuti pano hapana pfumo kana munondo pasi peruoko rwako here? Nokuti zviri zviviri munondo wangu nezvombo zvangu handina kuzvitora muruoko rwangu, nokuti basa ramambo nderekukurumidza.
  7782. 1Sa 21:9 Mupristi ndokuti: Munondo waGoriati muFirisitia wawakauraya mumupata weEra, tarira, wakaputirwa mumucheka seri kweefodhi; kana uchida kutora iwo, tora, nokuti hapana umwe kunze kweiwoyo pano. Dhavhidhi ndokuti: Hakuna wakadaro, ndipe iwo.
  7783. 1Sa 21:10 Zvino Dhavhidhi wakasimuka ndokutiza nezuva iro kubva pachiso chaSauro, akaenda kuna Akishi mambo weGati.
  7784. 1Sa 21:11 Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari: Uyu haasi Dhavhidhi mambo wenyika here? Havana kuimba umwe kune umwe pamusoro pake mukutamba here vachiti: Sauro wakauraya zvuru zvake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru zvake?
  7785. 1Sa 21:12 Dhavhidhi ndokuisa mashoko awa mumoyo make, ndokutya kwazvo Akishi mambo weGati.
  7786. 1Sa 21:13 Zvino wakashandura kuzvibata kwake pamberi pemeso avo, ndokuedzesera kuva benzi paruoko rwavo, akakwara-kwara pamagonhi esuwo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
  7787. 1Sa 21:14 Zvino Akishi wakati kuvaranda vake: Tarirai, munoona kuti munhu uyu ibenzi; mamuunzirei kwandiri?
  7788. 1Sa 21:15 Ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamaunza uyu kuti apenge pamberi pangu? Uyu achapinda mumba mangu here?
  7789. 1Sa 22:1 Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akapukunyukira kubako reAdhurami. Hama dzake nevose veimba yababa vake pavakanzwa, vakaburukirako kwaari.
  7790. 1Sa 22:2 Zvino kwakaungana kwaari munhu umwe neumwe waiva pakumanikidzwa, nemunhu umwe neumwe waiva nechikwereti, nemunhu umwe neumwe waiva neshungu pamweya weupenyu, zvino akava mukuru pamusoro pavo; pakava pamwe naye varume vanenge mazana mana.
  7791. 1Sa 22:3 Zvino Dhavhidhi wakabvapo kuenda kuMizipa kwaMoabhu; ndokuti kuna mambo waMoabhu: Regai henyu baba vangu namai vangu vabude nemwi, kusvika ndaziva Mwari zvaachandiitira.
  7792. 1Sa 22:4 Zvino wakavaunza mberi kwamambo waMoabhu, zvino vakagara naye mazuva ose Dhavhidhi aaiva munhare.
  7793. 1Sa 22:5 Zvino muporofita Gadhi wakati kuna Dhavhidhi: Usagara munhare, enda, uye iwe pinda munyika yaJudha. Dhavhidhi ndokuenda ndokupinda mudondo reHereti.
  7794. 1Sa 22:6 Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wazikanwa pamwe nevarume vaiva naye; Sauro waiva agere paGibhiya muzasi memutamarisiki paRama, ane pfumo rake muruoko rwake, nevaranda vake vose vaiva vamire naye.
  7795. 1Sa 22:7 Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vaiva vamire naye: Inzwai henyu, imwi VaBhenjamini: Kuti mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa? Akuisei mose muve vakuru vezvuru nevakuru vemazana?
  7796. 1Sa 22:8 Zvamandirangana mose, uye hakuna anondizarura nzeve yangu pamusoro pemwanakomana wangu achisungana nemwanakomana waJese; hakuna umwe kwamuri anondinzwira tsitsi, nekuzarura nzeve yangu, kuti mwanakomana wangu wakandimutsira muranda wangu kuti ave muvandiri wangu sezuva rino.
  7797. 1Sa 22:9 Zvino Dhoegi muEdhomu wakapindura, waiva amire nevaranda vaSauro, ndokuti: Ndakaona mwanakomana waJese achiuya paNobhi kuna Ahimereki mwanakomana waAitubhi.
  7798. 1Sa 22:10 Iye ndokumubvunzira kuna Jehovha, ndokumupa mbuva; nemunondo waGoriati muFirisitia wakamupa.
  7799. 1Sa 22:11 Mambo ndokutuma kunodana Ahimereki mupristi mwanakomana waAhitubhi, neimba yose yababa vake vapristi vaiva paNobhi; vose ndokuuya kuna mambo.
  7800. 1Sa 22:12 Zvino Sauro wakati: Inzwa hako, iwe mwanakomana waAhitubhi. Iye ndokuti: Tarirai ndiri pano, ishe wangu.
  7801. 1Sa 22:13 Sauro ndokuti kwaari: Mandiranganirei, iwe nemwanakomana waJese, zvawakamupa chingwa nemunondo, nekumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire kuva muvandiri wangu sezuva rino?
  7802. 1Sa 22:14 Zvino Ahimereki wakapindura mambo ndokuti: Uye ndiani pakati pevaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, uye mukwasha wamambo anoenderera mberi pakukuteererai, uye anokudzwa mumba menyu?
  7803. 1Sa 22:15 Ndatanga nhasi here kumubvunzira kuna Mwari? Ngazvive kure neni! Mambo ngaarege kuisa nyaya kumuranda wake nekuimba yose yababa vangu; nokuti muranda haana kuziva chinhu cheizvi zvose, zvidiki kana zvikuru.
  7804. 1Sa 22:16 Mambo ndokuti: Uchafa zvekufa Ahimereki, iwe neimba yose yababa vako.
  7805. 1Sa 22:17 Mambo ndokuti kuvamhanyi vaiva vamire naye: Tendeukai muuraye vapristi vaJehovha, nokuti ruoko rwavowo rwuna Dhavhidhi, uye nokuti vakaziva kuti watiza asi havana kumuzaririra munzeve yangu. Asi varanda vamambo havana kuda kutambanudzira ruoko rwavo kurwisa vapristi vaJehovha.
  7806. 1Sa 22:18 Zvino mambo wakati kuna Dhoegi: Tendeuka iwe, urwise vapristi. Dhoegi muEdhomu ndokutendeuka, iye ndokurwisa vapristi, ndokuuraya nezuva iro vanhu makumi masere nevashanu vaiva vakatakura efodhi yemucheka.
  7807. 1Sa 22:19 Uye Nobhi guta revapristi wakarirova nekwakapinza kwemunondo, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kubva kumwana kusvika kune anoyamwa, nemombe, nembongoro, nemakwai, nekwakapinza kwemunondo.
  7808. 1Sa 22:20 Zvino kwakapukunyuka umwe wevanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubhi, uye zita rake raiva Abhiatari; ndokutiza kutevera Dhavhidhi.
  7809. 1Sa 22:21 Zvino Abhiatari wakaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapristi vaJehovha.
  7810. 1Sa 22:22 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhiatari: Ndakaziva nezuva riya Dhoegi muEdhomu paaivapo kuti zvirokwazvo achanoudza Sauro. Ndini ndakonzera kufa kwemweya wose weimba yababa vako.
  7811. 1Sa 22:23 Gara neni, usatya; nokuti uyo anotsvaka mweya wangu anotsvaka mweya wako; asi uchachengetedzeka pamwe neni.
  7812. 1Sa 23:1 Zvino vakaudza Dhavhidhi vachiti: Tarirai, vaFirisitia vanorwisana neKeira, uye vanopamba maburiro.
  7813. 1Sa 23:2 Dhavhidhi ndokubvunza kuna Jehovha achiti: Ndoenda ndinorova vaFirisitia avo here? Jehovha ndokuti kuna Dhavhidhi: Enda undorova vaFirisitia ugoponesa Keira.
  7814. 1Sa 23:3 Zvino varume vaDhavhidhi vakati kwaari: Tarirai, tinotya pano paJudha; zvikuru sei kana tichienda kuKeira kurwisana nehondo dzakarongwa dzevaFirisitia.
  7815. 1Sa 23:4 Zvino Dhavhidhi wakadzokororazve kubvunza kuna Jehovha, Jehovha ndokumupindura ndokuti: Simuka ugoburukira kuKeira, nokuti ndichapa vaFirisitia muruoko rwako.
  7816. 1Sa 23:5 Dhavhidhi nevarume vake ndokuenda kuKeira, ndokurwa nevaFirisitia ndokutinha mombe dzavo, ndokuvarova nekurova kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi wakaponesa vagari veKeira.
  7817. 1Sa 23:6 Zvino zvakaitika Abhiatari mwanakomana waAhimereki paakatizira kuna Dhavhidhi kuKeira, kuti wakaburuka ane efodhi muruoko rwake.
  7818. 1Sa 23:7 Zvino zvakaudzwa Sauro kuti Dhavhidhi wapinda muKeira. Sauro ndokuti: Mwari wamuisa muruoko rwangu, nokuti wazaririrwa nekupinda muguta rine masuwo nezvipfigiso.
  7819. 1Sa 23:8 Sauro ndokudanira vanhu vose kuhondo, kuburukira kuKeira, kukomba Dhavhidhi nevarume vake.
  7820. 1Sa 23:9 Zvino Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro anomuitira zano rakaipa pachivande ndokuti kuna Abhiatari mupristi: Unza pano efodhi.
  7821. 1Sa 23:10 Zvino Dhavhidhi wakati: Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu wakanzwa zvekunzwa kuti Sauro unotsvaka kuuya kuKeira kuzoparadza guta nekuda kwangu.
  7822. 1Sa 23:11 Vagari veKeira vachandipa muruoko rwake here? Sauro achaburuka here sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsraeri, udzai henyu muranda wenyu. Jehovha ndokuti: Achaburuka.
  7823. 1Sa 23:12 Dhavhidhi ndokuti: Varume veKeira vachandiisa nevarume vangu muruoko rwaSauro here? Jehovha ndokuti: Vachakuisa.
  7824. 1Sa 23:13 Zvino Dhavhidhi nevarume vake, varume vanenge mazana matanhatu, vakabuda kubva paKeira, vakafamba-famba kuenda kwavangaenda. Zvino kwakaudzwa Sauro kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, iye ndokurega kubuda.
  7825. 1Sa 23:14 Dhavhidhi ndokugara murenje mudzinhare, ndokugara mugomo murenje reZifi. Sauro ndokumutsvaka mazuva ose, asi Mwari haana kumupa muruoko rwake.
  7826. 1Sa 23:15 Zvino Dhavhidhi wakaona kuti Sauro wabuda kutsvaka upenyu hwake; Dhavhidhi waiva murenje reZifi musango.
  7827. 1Sa 23:16 Zvino Jonatani mwanakomana waSauro wakasimuka ndokuenda kuna Dhavhidhi musango, ndokusimbisa ruoko rwake muna Mwari.
  7828. 1Sa 23:17 Zvino wakati kwaari: Usatya, nokuti ruoko rwaSauro baba vangu harungakuwani, uye iwe uchava mambo pamusoro paIsraeri, neni ndichava wechipiri kwauri; uyewo baba vangu Sauro vanoziva saizvozvo.
  7829. 1Sa 23:18 Zvino ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi ndokugara musango; Jonatani ndokuenda kumba kwake.
  7830. 1Sa 23:19 Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro kuGibhiya vachiti: Dhavhidhi haana kuvanda kwatiri mudzinhare musango panhongonya yeHakira riri kuchamhembe kweJeshimoni here?
  7831. 1Sa 23:20 Naizvozvo ikozvino, nechido chose chemweya weupenyu wenyu chekuburuka, mambo, burukai; uye zviri kwatiri kumupa muruoko rwamambo.
  7832. 1Sa 23:21 Sauro ndokuti: Ropafadzwai imwi naJehovha, nokuti munondinzwira tsitsi.
  7833. 1Sa 23:22 Endai henyu, muve muchigadzirira, muzive uye muone nzvimbo yake, pane rutsoka rwake, ndiani wakamuonapo, nokuti ndakaudzwa kuti wakaita nekunyengera kwazvo.
  7834. 1Sa 23:23 Zvino onai uye zivai nzvimbo dzose dzekuvanda apo anovanda, mugodzoka kwandiri nechokwadi, zvino ndichaenda nemwi; uye zvichaitika kana ari munyika iyo kuti ndichamutsvakisisa pakati pezvuru zvose zvaJudha.
  7835. 1Sa 23:24 Zvino vakasimuka ndokuenda kuZifi mberi kwaSauro. Asi Dhavhidhi nevarume vake vaiva murenje reMaoni mubani kuchamhembe kweJeshimoni.
  7836. 1Sa 23:25 Sauro nevarume vake ndokuenda kunomutsvaka. Zvino vakaudza Dhavhidhi; iye ndokuburukira kubwe, ndokugara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakanzwa ndokudzingirira Dhavhidhi kurenje reMaoni.
  7837. 1Sa 23:26 Zvino Sauro wakaenda nedivi rino regomo, uye Dhavhidhi nevarume vake nedivi iro regomo; Dhavhidhi ndokukurumidza kuenda kubva pachiso chaSauro; nokuti Sauro nevarume vake vakakomba Dhavhidhi nevarume vake kuvabata.
  7838. 1Sa 23:27 Asi kwakasvika nhume kuna Sauro ichiti: Kurumidzai muuye, nokuti vaFirisitia vapamba nyika.
  7839. 1Sa 23:28 Naizvozvo Sauro wakadzoka pakudzingirira Dhavhidhi, ndokuenda kunorwisa vaFirisitia. Naizvozvo vatumidza nzvimbo iyo Sera-Hamarekoti.
  7840. 1Sa 23:29 Dhavhidhi ndokukwira kubvapo, ndokugara munhare dzeEni-Gedhi.
  7841. 1Sa 24:1 Zvino zvakaitika Sauro paakadzoka pakutevera vaFirisitia, kuti vakamuudza vachiti: Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEni-Gedhi.
  7842. 1Sa 24:2 Sauro ndokutora varume zvuru zvitatu vakasarudzwa kubva kuna Israeri wose, ndokuenda kunotsvaka Dhavhidhi nevarume vake pamusoro pemabwe engururu.
  7843. 1Sa 24:3 Zvino wakasvika pamatanga emakwai panzira paiva nebako. Sauro ndokupinda kufukidza tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi nevarume vake vaiva vagere mumakamuri ebako.
  7844. 1Sa 24:4 Varume vaDhavhidhi ndokuti kwaari: Tarirai, zuva Jehovha raakati kwamuri: Tarira, ndichapa muvengi wako muruoko rwako, kuti umuitire sezvakanaka pameso ako. Dhavhidhi ndokusimuka, ndokugura chivande mupendero wenguvo yaiva yaSauro.
  7845. 1Sa 24:5 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti hana yaDhavhidhi yakamurova, nechikonzero chekuti waiva agura mupendero waiva waSauro.
  7846. 1Sa 24:6 Zvino wakati kuvarume vake: Ngazvive kure neni naJehovha, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu ichi, kutandavadzira ruoko rwangu kumurwisa, zvaari muzodzwa waJehovha.
  7847. 1Sa 24:7 Naizvozvo Dhavhidhi wakatsemura varume vake nemashoko iwawo, uye haana kuvatendera kumukira Sauro. Sauro ndokusimuka akabuda mubako, ndokuenda nenzira.
  7848. 1Sa 24:8 Dhavhidhi wakasimukawo pashure, ndokubuda mubako, ndokudanidzira shure kwaSauro achiti: Ishe wangu mambo! Sauro wakati achitarira shure kwake, Dhavhidhi wakakotamira pasi nechiso, ndokutyora muzura.
  7849. 1Sa 24:9 Dhavhidhi ndokuti kuna Sauro: Munoteererei mashoko evanhu vachiti: Tarira, Dhavhidhi anotsvaka kukuvadzwa kwenyu?
  7850. 1Sa 24:10 Tarirai, zuva rino meso enyu aona kuti Jehovha wakupai nhasi muruoko rwangu mubako; uye vareva kukuurayai, asi ndakunzwirai tsitsi ndokuti: Handingatambanudzi ruoko rwangu kurwisa ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
  7851. 1Sa 24:11 Uyezve, baba vangu, onai, hongu onai mupendero wenguvo yenyu muruoko rwangu; nokuti pakucheka kwangu mupendero wenguvo yenyu, uye kuti handina kukuurayai, zivai uye onai kuti hakuna chakaipa kana kudarika muruoko rwangu, uye handina kukutadzirai; zvakadaro munovandira mweya weupenyu wangu kuutora.
  7852. 1Sa 24:12 Jehovha ngaatonge pakati pangu nemwi; uye Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungakurwisii.
  7853. 1Sa 24:13 Sezvinoreva tsumo yevekare: Kune vakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungakurwisii.
  7854. 1Sa 24:14 Mambo waIsraeri wakabuda kutevera ani? Munodzingana nani? Shure kweimbwa yakafa, shure kwerutata rumwe.
  7855. 1Sa 24:15 Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, uye atonge pakati pangu nemwi, aone, uye areverere mhosva yangu, uye andinunure paruoko rwenyu.
  7856. 1Sa 24:16 Zvino zvakaitika Dhavhidhi paakapedza kutaura mashoko iwawo kuna Sauro, kuti Sauro wakati: Inzwi rako iri here, mwanakomana wangu Dhavhidhi? Sauro ndokusimudza inzwi rake, ndokuchema misodzi.
  7857. 1Sa 24:17 Zvino wakati kuna Dhavhidhi: Iwe wakarurama kundipfuura, nokuti iwe wandipa mubairo wezvakanaka, asi ini ndakupa mubairo wezvakaipa.
  7858. 1Sa 24:18 Iwe waratidza nhasi kuti wandiitira zvakanaka, nokuti Jehovha paandivharira muruoko rwako, hauna kundiuraya.
  7859. 1Sa 24:19 Nokuti kana munhu awana muvengi wake, angamurege akaenda nenzira yakanaka here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nezvawakandiitira nhasi.
  7860. 1Sa 24:20 Zvino ikozvino tarira, ndinoziva kuti uchava mambo zvirokwazvo, uye umambo hwaIsraeri huchasimbiswa muruoko rwako.
  7861. 1Sa 24:21 Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaguri mbeu yangu shure kwangu, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.
  7862. 1Sa 24:22 Dhavhidhi ndokupika kuna Sauro. Sauro ndokuenda kumba kwake, asi Dhavhidhi nevarume vake vakakwira kunhare.
  7863. 1Sa 25:1 Zvino Samueri wakafa; uye Israeri wose wakaungana ndokumuchema, ndokumuviga mumba make paRama. Dhavhidhi ndokusimuka, ndokuburukira kurenje reParani.
  7864. 1Sa 25:2 Zvino kwaiva nemurume paMaoni uye basa rake raiva paKarimeri; uye murume uyu waiva mukuru kwazvo, uye waiva nemakwai zvuru zvitatu, nembudzi churu. Zvino waiveura makwai ake paKarimeri.
  7865. 1Sa 25:3 Zvino zita remurume uyu raiva Nabhari, uye zita remukadzi wake raiva Abhigairi; uye mukadzi waiva nekunzwisisa kwakanaka nechimiro chakanaka; asi murume waiva akaoma ane zviito zvakaipa; uye waiva wekwaKarebhi.
  7866. 1Sa 25:4 Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari anoveura makwai ake.
  7867. 1Sa 25:5 Dhavhidhi ndokutuma majaya gumi; Dhavhidhi ndokuti kumajaya: Kwirai kuKarimeri, muende kuna Nabhari mumubvunze mufaro muzita rangu.
  7868. 1Sa 25:6 Zvino muchataura seizvi: Mufaro ngauve kwauri, uye rugare ngaruve newe, uye rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.
  7869. 1Sa 25:7 Zvino ikozvino ndanzwa kuti mune vaveuri; zvino vafudzi vamunavo vaiva nesu; hatina kuvakuvadza, uye havana kushaya chinhu mazuva ose avaiva paKarimeri.
  7870. 1Sa 25:8 Bvunzai majaya enyu, uye vakuudzei; zvino majaya ngaawane nyasha pameso enyu, nokuti tasvika nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nemwanakomana wenyu Dhavhidhi ruoko rwenyu zvaruchawana.
  7871. 1Sa 25:9 Majaya aDhavhidhi paakasvika, akataura kuna Nabhari zvichienderana nemashoko iwawo ose muzita raDhavhidhi, ndokuzorora.
  7872. 1Sa 25:10 Zvino Nabhari wakapindura varanda vaDhavhidhi ndokuti: Ndiyani Dhavhidhi? Uye ndiyani mwanakomana waJese? Nhasi varanda vazhinji vanotiza umwe neumwe tenzi wake.
  7873. 1Sa 25:11 Zvino ndingatora chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakauraira vaveuri vangu, ndizvipe kuvarume vandisingazivi kuti vanobva kupi here?
  7874. 1Sa 25:12 Naizvozvo majaya aDhavhidhi akatendeukira panzira yawo, ndokudzoka, ndokusvika, ndokumuudza zvinoenderana nemashoko awa ose.
  7875. 1Sa 25:13 Dhavhidhi ndokuti kuvarume vake: Sungirai muchiuno umwe neumwe munondo wake. Zvino vakasungira muchiuno umwe neumwe munondo wake; naDhavhidhiwo wakasungira muchiuno munondo wake; zvino kwakakwira shure kwaDhavhidhi varume vanenge mazana mana; uye mazana maviri vakasara panhumbi.
  7876. 1Sa 25:14 Asi jaya rimwe pamajaya rakaudza Abhigairi mukadzi waNabhari richiti: Tarirai, Dhavhidhi wakatuma nhume kubva kurenje kukwazisa tenzi wedu; ivo ndokuvasveveredza.
  7877. 1Sa 25:15 Asi varume avo vakatinakira kwazvo, uye hatina kukuvadzwa kana kushaiwa chinhu mazuva ose atakafambidzana navo pataiva kusango.
  7878. 1Sa 25:16 Vaiva rusvingo kwatiri zvose usiku nemasikati mazuva ose ataiva navo tichifudza makwai.
  7879. 1Sa 25:17 Naizvozvo ikozvino zivai uye onai zvamuchaita, nokuti zvakaipa zvarongerwa tenzi wedu nevose veimba yake; nokuti iye mwanakomana waBheriari, kuti hakuna angataura naye.
  7880. 1Sa 25:18 Zvino Abhigairi wakakurumidza ndokutora zvingwa mazana maviri nematende maviri ewaini, nemakwai mashanu akagadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, nemasumbu emazambiringa akaoma zana, nemapundu emaonde mazana maviri, ndokuisa pamusoro pembongoro.
  7881. 1Sa 25:19 Zvino wakati kumajaya ake: Pfuurirai mberi kwangu, tarirai, ndinokuteverai. Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
  7882. 1Sa 25:20 Zvino zvakaitika achakatasva mbongoro, oburukira panzvimbo yakavanda yegomo, zvino tarira, Dhavhidhi nevarume vake vanoburuka kumuchingamidza; iye ndokusangana navo.
  7883. 1Sa 25:21 Zvino Dhavhidhi waiva ati: Zvirokwazvo, ndaichengeta pasina zvose uyu zvaaiva nazvo murenje, kuti hakuna kurasika chinhu pazvose zvaaiva nazvo; zvino anondidzosera zvakaipa panzvimbo yezvakanaka.
  7884. 1Sa 25:22 Mwari ngaaite saizvozvo kuvavengi vaDhavhidhi, awedzere saizvozvo, kana ndikasiya umwe kwavari vose vaanavo anowetera pamadziro kusvika mangwanani.
  7885. 1Sa 25:23 Abhigairi paakaona Dhavhidhi wakakurumidza kuburuka pambongoro ndokuwira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi ndokukotamira pasi.
  7886. 1Sa 25:24 Zvino wakawira patsoka dzake ndokuti: Kuipa uku ngakuve pamusoro pangu ini, ishe wangu, uye murandakadzi wenyu ngaataure hake munzeve dzenyu, uye inzwai mashoko emurandakadzi wenyu.
  7887. 1Sa 25:25 Ishe wangu ngaarege hake kuisa moyo wake kumunhu uyu waBheriari, iye Nabhari; nokuti sezita rake wakadaro: Nabhari ndiro zita rake, uye upenzi huri kwaari; asi ini murandakadzi wenyu handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.
  7888. 1Sa 25:26 Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakumisai kuuya neropa nekuzvitsivira neruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu ngavaite saNabhari, nevanotsvaka zvakaipa kuna ishe wangu.
  7889. 1Sa 25:27 Zvino ikozvino ropafadzo iyi murandakadzi wenyu waiunza kuna ishe wangu ngaipiwe kumajaya anofamba pano neapo patsoka dzashe wangu.
  7890. 1Sa 25:28 Kanganwirai henyu kudarika kwemurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu anorwa hondo dzaJehovha, uye chakaipa hachina kuwanikwa kwamuri kubva pamazuva enyu.
  7891. 1Sa 25:29 Kunyange kuchisimuka munhu kukudzingirirai uye kutsvaka mweya weupenyu wenyu, asi mweya weupenyu washe wangu uchasungirirwa muchisote chevapenyu pamwe naJehovha Mwari wenyu, asi mweya yeupenyu yevavengi venyu achaipotsera kubva pakati pemhango yemuchifuramabwe cherwonzi.
  7892. 1Sa 25:30 Zvino zvichaitika apo Jehovha aitira ishe wangu zvinoenderana nezvose zvakanaka zvaakataura pamusoro penyu, uye akugadzai kuva mutungamiriri pamusoro paIsraeri,
  7893. 1Sa 25:31 kuti ichi chisava kwamuri chigumbuso kana kugumbuswa kwemoyo kuna ishe wangu, kana kuti makateura ropa pasina, kana kuti ishe wangu wakazvitsivira; Jehovha paanenge aitira ishe wangu zvakanaka, rangariraiwo murandakadzi wenyu.
  7894. 1Sa 25:32 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhigairi: Ngaakudzwe Jehovha Mwari waIsraeri, iye wakutuma nhasi kuzondichingamidza.
  7895. 1Sa 25:33 Uye kunzwisisa kwenyu ngakukudzwe uye kudzwa iwe wandidzivirira kubva pakuuya neropa, nekuzvitsivira neruoko rwangu.
  7896. 1Sa 25:34 Nokuti zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kubva pakukuitira zvakaipa, nokuti dai usina kukurumidza kuuya kundichingamidza, zvirokwazvo kwanga kusingasari umwe anowetera pamadziro kuna Nabhari kusvika pakuchena kwemangwanani.
  7897. 1Sa 25:35 Zvino Dhavhidhi wakagamuchira muruoko rwake zvaaiva amuvigira; ndokuti kwaari: Kwira nerugare kumba kwako; tarira, ndateerera kuinzwi rako, uye ndagamuchira chiso chako.
  7898. 1Sa 25:36 Zvino Abhigairi wakasvika kuna Nabhari, zvino tarira, waiva nemabiko mumba make, semabiko amambo; uye moyo waNabhari wakafara mukati make, nokuti waiva akadhakwa kupfuurikidza; naizvozvo haana kumuudza chinhu, chidiki kana chikuru, kusvika pakuchena kwemangwanani.
  7899. 1Sa 25:37 Zvino zvakaitika mangwanani waini payaiva yabuda kuna Nabhari, kuti mukadzi wake wakamuudza mashoko iwawo, moyo wake ndokufa mukati make, ndokuva sebwe.
  7900. 1Sa 25:38 Zvino zvakaitika mazuva anenge gumi apera kuti Jehovha wakarova Nabhari, iye ndokufa.
  7901. 1Sa 25:39 Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati: Jehovha ngaakudzwe wakamiririra nyaya yekuzvidzwa kwangu paruoko rwaNabhari uye wakadzivisa muranda wake pane zvakaipa; nokuti Jehovha wadzosera kuipa kwaNabhari pamusoro pemusoro wake. Zvino Dhavhidhi wakatuma nhume ndokutaura naAbhigairi kuti amutore ave mukadzi wake.
  7902. 1Sa 25:40 Varanda vaDhavhidhi pavakasvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura kwaari vachiti: Dhavhidhi watituma kwauri kukutora uve mukadzi wake.
  7903. 1Sa 25:41 Zvino akasimuka ndokukotamira pasi nechiso, ndokuti: Tarirai, murandakadzi wenyu ngaave nhapwa kushamba tsoka dzevaranda vashe wangu.
  7904. 1Sa 25:42 Abhigairi ndokukurumidza ndokusimuka ndokutasva mbongoro, nevasikana vake vashanu vakaenda patsoka dzake; ndokutevera nhume dzaDhavhidhi, ndokuva mukadzi wake.
  7905. 1Sa 25:43 Dhavhidhi akatorawo Ahinowamu weJezireeri; naivo vari vaviri vakava vakadzi vake.
  7906. 1Sa 25:44 Zvino Sauro waiva apa Mikari mwanasikana wake, mukadzi waDhavhidhi, kunaPariti mwanakomana waRaishi waiva weGarimi.
  7907. 1Sa 26:1 Zvino VaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya vachiti: Dhavhidhi haasi wakavanda pachikomo cheHakira mberi kweJeshimoni here?
  7908. 1Sa 26:2 Zvino Sauro wakasimuka ndokuburukira kurenje reZifi ane varume vakasarudzwa vekwaIsraeri zvuru zvitatu, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.
  7909. 1Sa 26:3 Zvino Sauro wakavaka musasa pachikomo cheHakira, chiri mberi kweJeshimoni panzira. Asi Dhavhidhi wakagara murenje, ndokuona kuti Sauro anomutevera murenje.
  7910. 1Sa 26:4 Zvino Dhavhidhi wakatuma vashori kuti azive kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.
  7911. 1Sa 26:5 Zvino Dhavhidhi wakasimuka ndokusvika panzvimbo Sauro paaiva avaka musasa; Dhavhidhi ndokuona nzvimbo Sauro paaiva arere, naAbhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake. Zvino Sauro waiva arere pamudungwe wengoro, uye rudzi rwaiva rwavaka musasa rwakamukomba.
  7912. 1Sa 26:6 Zvino Dhavhidhi wakapindura ndokutaura kuna Ahimereki muHiti nekuna Abhishai mwanakomana waZeruya munin’ina waJoabhu achiti: Ndiani achaburuka neni kuna Sauro kumusasa? Abhishai ndokuti: Ini ndichaburuka nemwi.
  7913. 1Sa 26:7 Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku; zvino tarira, Sauro waiva arere hope pamudungwe wengoro, uye pfumo rake raiva rakabayirwa muvhu kumutsamhiro wake; naAbhineri nevanhu vaiva vakarara vakamukomba.
  7914. 1Sa 26:8 Zvino Abhishai wakati kuna Dhavhidhi: Mwari wakavharira muvengi wenyu muruoko rwenyu nhasi; naizvozvo zvino regai henyu ndimurovere muvhuwo pamwe nepfumo, uye handingapamhi kwaari.
  7915. 1Sa 26:9 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Abhishai: Usamuparadza, nokuti ndiani angatandavadzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha akasava nemhosva?
  7916. 1Sa 26:10 Dhavhidhi wakatizve: NaJehovha mupenyu, asi Jehovha achamurova, zvimwe zuva rake richasvika kuti afe, zvimwe achaburukira kuhondo akaparadzwa.
  7917. 1Sa 26:11 Ngazvive kure neni, naJehovha, kutandavadzira ruoko rwangu kurwisa muzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumutsamhiro wake, nechirongo chemvura, isu tiende.
  7918. 1Sa 26:12 Zvino Dhavhidhi wakatora pfumo nechirongo chemvura kuzvibvisa kumutsamhiro waSauro, ivo vakaenda. Zvino hakuna wakaona, hakuna wakaziva, hakuna wakamuka, nokuti vose vaiva varere, nokuti hope dzinorema dzaJehovha dzaiva dzavawira.
  7919. 1Sa 26:13 Zvino Dhavhidhi wakayambukira mhiri, ndokumira panhongonya yechikomo kure; paiva nechinhabwe chikuru pakati pavo.
  7920. 1Sa 26:14 Zvino Dhavhidhi wakadanidzira kuvanhu nekuna Abhineri mwanakomana waNeri achiti: Haupinduri here Abhineri? Abhineri ndokupindura ndokuti: Ndiwe ani unodanidzira kuna mambo?
  7921. 1Sa 26:15 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhineri: Hausi murume here? Uye ndiani wakaita sewe kwaIsraeri? Zvino waregerei kurinda ishe wako mambo? Nokuti kwasvika umwe wevanhu kuparadza mambo, ishe wako.
  7922. 1Sa 26:16 Ichi chinhu hachina kunaka chawaita. NaJehovha mupenyu, muri vanakomana verufu, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino ikozvino ona kuti pfumo ramambo nechirongo chemvura changa chiri kumutsamhiro wake zviripi?
  7923. 1Sa 26:17 Sauro ndokuziva inzwi raDhavhidhi, ndokuti: Inzwi rako here iri, mwanakomana wangu Dhavhidhi? Dhavhidhi ndokuti: Inzwi rangu, ishe wangu, mambo.
  7924. 1Sa 26:18 Akatiwo: Ishe wangu anodzingirirei shure muranda wake? Nokuti ndakaitei? Uye kuipai kuri muruoko rwangu?
  7925. 1Sa 26:19 Naizvozvo zvino, ishe wangu mambo ngaanzwe hake mashoko emuranda wake. Kana Jehovha akakumutsai kundirwisa, ngaagamuchire chipo; asi kana vari vana vevanhu, ngavatukwe pamberi paJehovha, nokuti vandidzinga nhasi kuti ndisazvisanganisa nenhaka yaJehovha, vachiti: Enda, unoshumira vamwe vamwari.
  7926. 1Sa 26:20 Naizvozvo zvino, ropa rangu ngarirege kuwira pasi kubva pamberi pechiso chaJehovha; nokuti mambo waIsraeri wabuda kutsvaka rutata rumwe, seanodzingirira chikwari mumakomo.
  7927. 1Sa 26:21 Sauro ndokuti: Ndatadza, dzoka, mwanakomana wangu Dhavhidhi, nokuti handichakuitirizve zvakaipa, nokuti mweya weupenyu wangu wanga wakakosha pameso ako nhasi; tarira, ndaita neupenzi, ndatadza zvikuru kwazvo.
  7928. 1Sa 26:22 Zvino Dhavhidhi wakapindura ndokuti: Tarirai, pfumo ramambo! Zvino umwe wemajaya ngaayambukire aritore.
  7929. 1Sa 26:23 Jehovha anotsivira umwe neumwe kururama kwake nekutendeka kwake; nokuti Jehovha wanga akupai muruoko rwangu nhasi, asi handina kuda kutandavadzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.
  7930. 1Sa 26:24 Zvino tarirai, sezvo mweya wenyu wava mukuru pameso angu nhasi, saizvozvo mweya wangu ngauve mukuru pameso paJehovha, ngaandinunure pakutambudzika kose.
  7931. 1Sa 26:25 Zvino Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Wakaropafadzwa iwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; uchaitawo zvikuru, newe uchakunda zvekukunda. Dhavhidhi ndokuenda nenzira yake; Sauro ndokudzokera kunzvimbo yake.
  7932. 1Sa 27:1 Zvino Dhavhidhi wakati mumoyo make: Ikozvino ndichaparara rimwe zuva neruoko rwaSauro. Hakuna chinhu chiri nani kwandiri kupfuura ndipukunyukire zvekupukunyukira kunyika yevaFirisitia; uye Sauro achaora moyo pamusoro pangu kunditsvakazve kumuganhu wose waIsraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.
  7933. 1Sa 27:2 Zvino Dhavhidhi wakasimuka ndokuyambuka, iye nevarume mazana matanhatu vaiva naye, kuenda kuna Akishi mwanakomana waMaoki, mambo weGati.
  7934. 1Sa 27:3 Dhavhidhi ndokugara naAkishi paGati, iye nevarume vake, umwe neumwe neimba yake, Dhavhidhi nevakadzi vake vaviri, Ahinowamu mukadzi muJezireeri, naAbhigairi mukadzi muKarimeri, mukadzi waNabhari.
  7935. 1Sa 27:4 Zvino zvakaudzwa Sauro kuti Dhavhidhi watizira kuGati; uye akasazomutsvakazve.
  7936. 1Sa 27:5 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Akishi: Kana ikozvino ndawana nyasha pameso enyu, ngavandipe nzvimbo pane rimwe remaguta emaruwa kuti ndigarepo; nokuti muranda wenyu angagarirei muguta ramambo pamwe nemwi?
  7937. 1Sa 27:6 Zvino Akishi wakamupa nezuva iro Zikiragi; naizvozvo Zikiragi nderemadzimambo aJudha kusvika nhasi.
  7938. 1Sa 27:7 Zvino uwandu hwemazuva Dhavhidhi hwaakagara panyika yevaFirisitia hwaiva gore nemwedzi mina.
  7939. 1Sa 27:8 Zvino Dhavhidhi nevarume vake vakakwira ndokupamba vaGeshuri nevaGirizi nevaAmareki; nokuti ivo vaiva vagari venyika iyo kare, paunenge uchienda kuShuri kusvikawo kunyika yeEgipita.
  7940. 1Sa 27:9 Zvino Dhavhidhi wakarova nyika iyo, uye haana kusiya mupenyu, munhurume kana munhukadzi; ndokutora makwai nemombe nembongoro nemakamera nenguvo; ndokudzoka, ndokusvika kuna Akishi.
  7941. 1Sa 27:10 Akishi ndokuti: Manopamba kupi nhasi? Dhavhidhi ndokuti: Nechekuchamhembe kwaJudha, uye nechekuchamhembe kwevaJerameeri, uye nechekuchamhembe kwevaKeni.
  7942. 1Sa 27:11 Dhavhidhi haana kusiya mupenyu, munhurume kana munhukadzi, kuuya navo paGati achiti: Zvimwe vangareva nezvedu vachiti: Dhavhidhi wakaita saizvozvo. Uye tsika yake yaiva yakadaro mazuva ose aakagara munyika yevaFirisitia.
  7943. 1Sa 27:12 Zvino Akishi wakatenda Dhavhidhi achiti: Wazviita chinosemesa kwazvo kuvanhu vekwake kwaIsraeri; naizvozvo achava muranda wangu nekusingaperi.
  7944. 1Sa 28:1 Zvino zvakaitika pamazuva iwawo kuti vaFirisitia vakaunganidzira hondo mauto avo kuti varwe naIsraeri. Akishi ndokuti kuna Dhavhidhi: Ziva zvekuziva kuti uchabudira hondo pamwe neni, iwe nevarume vako.
  7945. 1Sa 28:2 Dhavhidhi ndokuti kuna Akishi: Zvirokwazvo, imwi muchaziva kuti muranda wenyu angaitei. Akishi ndokuti kuna Dhavhidhi: Naizvozvo ndichakuisa uve muchengeti wemusoro wangu mazuva ose.
  7946. 1Sa 28:3 Zvino Samueri waiva afa; uye Israeri wose wakamuchema, ndokumuviga paRama, muguta rakewo. Uye Sauro waiva abvisa panyika masvikiro nevauki.
  7947. 1Sa 28:4 Zvino vaFirisitia vakaungana ndokusvika ndokuvaka musasa paShunemi. Sauro ndokuunganidza Israeri wose ndokuvaka musasa paGiribhoa.
  7948. 1Sa 28:5 Sauro paakaona musasa wevaFirisitia, wakatya, moyo wake ndokudedera kwazvo.
  7949. 1Sa 28:6 Sauro paakabvunza Jehovha, Jehovha haana kumupindura, kunyange pazviroto, kana neUrimi, kana nevaporofita.
  7950. 1Sa 28:7 Zvino Sauro wakati kuvaranda vake: Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa kuti ndiende kwaari ndinomubvunza. Varanda vake ndokuti kwaari: Tarirai, kune mukadzi anosvikirwa paEndori.
  7951. 1Sa 28:8 Sauro ndokuzvivanza chimiro, ndokupfeka dzimwe nguvo, ndokuenda, iye nevarume vaviri vanaye. Zvino vakasvika kumukadzi usiku, iye ndokuti: Ndiukire henyu nesvikiro, undikwidzire wandichakuudza.
  7952. 1Sa 28:9 Mukadzi ndokuti kwaari: Tarira, iwe unoziva Sauro zvaakaita, kuti wakaparadza masvikiro nevauki kubva panyika. Zvino unoisirei upenyu hwangu musungo kundiuraya?
  7953. 1Sa 28:10 Zvino Sauro wakapika kwaari naJehovha achiti: NaJehovha mupenyu, hakungavi nekurangwa kuchaitika kwauri pachinhu ichi.
  7954. 1Sa 28:11 Zvino mukadzi akati: Ndiyani wandichakukwidzira? Iye ndokuti: Ndikwidzire Samueri.
  7955. 1Sa 28:12 Mukadzi paakaona Samueri, ndokudanidzira nenzwi guru. Mukadzi ndokutaura kuna Sauro achiti: Mandinyengererei? Nokuti ndimwi Sauro.
  7956. 1Sa 28:13 Mambo ndokuti kwaari: Usatya; asi waonei? Mukadzi ndokuti kuna Sauro: Ndinoona vana vamwari vachikwira kubva panyika.
  7957. 1Sa 28:14 Iye ndokuti kwaari: Chakadii chimiro chake? Mukadzi ndokuti: Mutana anokwira uye wakapfeka nguvo. Sauro paakaziva kuti ndiSamueri, wakakotama nechiso pasi, akanamata.
  7958. 1Sa 28:15 Samueri ndokuti kuna Sauro: Wanditambudzirei nekundikwidza? Sauro ndokupindura achiti: Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, uye haachandipindurizve, kunyange neruoko rwevaporofita, kana nezviroto; naizvozvo ndakudanai kuti mundizivise kuti ndiitei.
  7959. 1Sa 28:16 Samueri ndokuti: Zvino unondibvunzirei, Jehovha zvaakabva kwauri, ndokuva muvengi wako?
  7960. 1Sa 28:17 Uye Jehovha wakazviitira sezvaakataura neruoko rwangu; nokuti Jehovha wakabvarura ushe kubva paruoko rwako, akahupa wekwako, Dhavhidhi.
  7961. 1Sa 28:18 Nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuita kutsamwa kwake kunotyisa pamusoro paAmareki; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
  7962. 1Sa 28:19 Uye Jehovha achaisawo Israeri pamwe newe muruoko rwevaFirisitia. Zvino mangwana iwe nevanakomana vako muchava kwandiri; Jehovha uchaisawo musasa waIsraeri muruoko rwevaFirisitia.
  7963. 1Sa 28:20 Zvino pakarepo Sauro wakawira pasi neurefu hwake hwose, ndokuvhunduka zvikuru nekuda kwemashoko aSamueri; uye kwaiva kusina simba maari, nokuti waiva asina kudya zvekudya zuva rose neusiku hwose.
  7964. 1Sa 28:21 Zvino mukadzi wakauya kuna Sauro, ndokuona kuti anotambudzika zvikuru, ndokuti kwaari: Tarirai, murandakadzi wenyu wateerera inzwi renyu, ndikaisa mweya wangu muruoko rwangu, uye ndateerera mashoko enyu amataura kwandiri.
  7965. 1Sa 28:22 Zvino ikozvino, imwi teereraiwo henyu inzwi remurandakadzi wenyu, ndigoisa pamberi penyu chimedu chechingwa kuti mudye, kuti pave nesimba mamuri kana moenda nenzira yenyu.
  7966. 1Sa 28:23 Asi wakaramba, ndokuti: Handingadyi. Asi varanda vake pamwe nemukadzi vakamumanikidza. Zvino wakateerera kuinzwi ravo. Zvino wakasimuka pasi ndokugara pamubhedha.
  7967. 1Sa 28:24 Zvino mukadzi waiva nemhuru yakakora mumba; ndokukurumidza ndokuibaya ndokutora upfu ndokukanya ndokubheka chingwa chisina kuviriswa nahwo;
  7968. 1Sa 28:25 ndokuswededza pamberi paSauro nepamberi pevaranda vake. Zvino vakadya ndokusimuka ndokuenda usiku ihwohwo.
  7969. 1Sa 29:1 Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsraeri vakavaka musasa patsime riri paJezireeri.
  7970. 1Sa 29:2 Zvino madzishe evaFirisitia aipfuura akaita mazana mazana uye zvuru zvuru, naDhavhidhi nevarume vake vaipfuura shure naAkishi.
  7971. 1Sa 29:3 Zvino machinda evaFirisitia akati: VaHebheru ava chii? Akishi ndokuti kumachinda evaFirisitia: Uyu haasi Dhavhidhi, muranda waSauro mambo waIsraeri, wanga aneni mazuva ano kana makore ano here? Uye handina kuwana chinhu kwaari kubva pazuva rekuwa kwake kusvika nhasi.
  7972. 1Sa 29:4 Asi machinda evaFirisitia akamutsamwira; machinda evaFirisitia ndokuti kwaari: Dzosera munhu uyu adzokere kunzvimbo yake kwawakamuisa, uye ngaarege kuburuka pamwe nesu kuhondo, kuti asava muvengi wedu muhondo. Nokuti uyu angazviita anodiwa sei kuna ishe wake? Hazvisi nemisoro yevanhu ava here?
  7973. 1Sa 29:5 Uyu haasi Dhavhidhi wavaibvumirana pamusoro pake mukutamba vachiti: Sauro wakauraya zvuru zvake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru ake?
  7974. 1Sa 29:6 Zvino Akishi wakadana Dhavhidhi ndokuti kwaari: NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo iwe wakarurama, nekubuda kwako nekupinda kwako neni mumusasa kwakanaka pameso angu, nokuti handina kuwana chakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvika zuva rino; asi hauna kunaka pameso emadzishe.
  7975. 1Sa 29:7 Naizvozvo ikozvino dzokera ugoenda nerugare, kuti urege kuita chakaipa pameso emadzishe evaFirisitia.
  7976. 1Sa 29:8 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Akishi: Asi ndaitei? Uye makawanei kumuranda wenyu kubva pazuva randakava pamberi penyu kusvika nhasi, kuti handingaendi ndigonorwa nevavengi vashe wangu mambo?
  7977. 1Sa 29:9 Zvino Akishi wakapindura ndokuti kuna Dhavhidhi: Ndakaziva kuti wakanaka pameso angu semutumwa waMwari; koga machinda evaFirisitia ati: Haangakwiri nesu kuhondo.
  7978. 1Sa 29:10 Naizvozvo zvino chimuka mangwanani-ngwanani pamwe nevaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani-ngwanani kwachena kwamuri, muende.
  7979. 1Sa 29:11 Naizvozvo Dhavhidhi wakamuka mangwanani, iye nevanhu vake, kuenda mangwanani, kuti vadzokere kunyika yevaFirisitia. VaFirisitia ndokukwira kuJezireeri.
  7980. 1Sa 30:1 Zvino zvakaitika pakasvika Dhavhidhi nevarume vake paZikiragi nezuva retatu, kuti vaAmareki vaiva vapamba kuchamhembe neZikiragi, ndokurova Zikiragi, ndokuripisa nemoto;
  7981. 1Sa 30:2 vakatapawo vakadzi vaiva varimo kubva kumudiki kusvika kumukuru; havana kuuraya munhu, asi vakavatinha, vakaenda nenzira yavo.
  7982. 1Sa 30:3 Dhavhidhi nevarume vake pavakasvika paguta, zvino tarira, raiva rapiswa nemoto, nevakadzi vavo nevanakomana vavo nevanasikana vavo vatapwa.
  7983. 1Sa 30:4 Dhavhidhi nevanhu vaiva naye ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi kusvika vasisina simba rekuchema.
  7984. 1Sa 30:5 Nevakadzi vaviri vaDhavhidhi vaiva vatapwa, Ahinowamu mukadzi muJezireeri naAbhigairi mukadzi waNabhari muKarimeri.
  7985. 1Sa 30:6 Zvino Dhavhidhi wakamanikidzika zvikuru, nokuti vanhu vaiva votaura zvekumutaka nemabwe, nokuti mweya weupenyu wevanhu vose wakavava, murume umwe neumwe pamusoro pevanakomana vake nepamusoro pevanasikana vake; asi Dhavhidhi wakazvisimbisa muna Jehovha Mwari wake.
  7986. 1Sa 30:7 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Abhiatari mupristi mwanakomana waAhimereki: Swededza hako kwandiri efodhi. Abhiatari ndokuswededza efodhi kuna Dhavhidhi.
  7987. 1Sa 30:8 Dhavhidhi ndokubvunza Jehovha achiti: Ndidzingirire shure hondo iyi here? Ndichavabata here? Iye ndokuti kwaari: Dzingirira, nokuti zvirokwazvo uchavabata, uye uchavanunura zvekununura.
  7988. 1Sa 30:9 Naizvozvo Dhavhidhi wakaenda, iye nevarume mazana matanhatu vanaye, ndokusvika parukova Bhesori, paiva pakagara vakasara.
  7989. 1Sa 30:10 Dhavhidhi ndokuvadzingirira, iye nevarume mazana mana, nokuti varume mazana maviri vakagara, vaiva vaneta kwazvo zvekuti havana kuyambuka rukova Bhesori.
  7990. 1Sa 30:11 Zvino vakawana muEgipita kusango, ndokumuunza kuna Dhavhidhi, ndokumupa zvekudya, iye ndokudya, vakamunwisawo mvura;
  7991. 1Sa 30:12 vakamupawo chimedu chechingwa chemaonde nemasumbu maviri emazambiringa akaomeswa; wakati adya mweya wake ndokudzoka maari, nokuti waiva asina kudya zvekudya kana kunwa mvura mazuva matatu neusiku utatu.
  7992. 1Sa 30:13 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Uri waani? Unobvepi? Iye ndokuti: Ndiri jaya reEgipita, muranda kumuAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nokuti mazuva matatu ndanga ndichirwara.
  7993. 1Sa 30:14 Isu takapamba kuchamhembe kwevaKereti, nekwaJudha, uye kuchamhembe kwaKarebhi, uye takapisa Zikiragi nemoto.
  7994. 1Sa 30:15 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Ungandiburusira kuhondo iyi here? Iye ndokuti: Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi kana kundipa muruoko rwatenzi wangu. Zvino ndingakuburusirai kuhondo iyi.
  7995. 1Sa 30:16 Wakati amuburusa, tarira, vakapararira pachiso chenyika yose, vachidya uye vachinwa, uye vachitambira zvakapambiwa zvose zvikuru zvavaiva vatora kubva munyika yevaFirisitia uye kubva munyika yaJudha.
  7996. 1Sa 30:17 Dhavhidhi ndokuvarova kubva parubvunzavaeni kusvika madekwani ezuva ravo raitevera; uye hakuna kupukunyuka munhu kwavari, kunze kwemajaya mazana mana akatasva makamera ndokutiza.
  7997. 1Sa 30:18 Dhavhidhi ndokununura zvose vaAmareki zvaiva vatora; uye vakadzi vake vaviri Dhavhidhi wakavanunura.
  7998. 1Sa 30:19 Zvino hakuna kushaikwa chinhu kwavari kubva kuchidiki kusvika kuchikuru nekusvika kuvanakomana nevanasikana, uye kubva kuzvakapambiwa kusvika kuchipi chavaiva vazvitorera; Dhavhidhi wakadzosa zvose.
  7999. 1Sa 30:20 Zvino Dhavhidhi wakatora zvose makwai nemombe, ndokutinha pamberi pezvipfuwo izvo, ndokuti: Izvi zvakapambiwa zvaDhavhidhi.
  8000. 1Sa 30:21 Zvino Dhavhidhi wakasvika kuvarume vaya mazana maviri vaiva vaneta kwazvo zvekuti havana kutevera Dhavhidhi, vavakati vagare parukova Bhesori. Zvino vakabuda kuchingamidza Dhavhidhi nekuchingamidza vanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakaswedera kuvanhu, wakavabvunza upenyu.
  8001. 1Sa 30:22 Zvino vanhu vose vakaipa nevaBheriari pakati pevarume vaiva vaenda naDhavhidhi vakati: Nokuti havana kuenda nesu, hativapi zvezvakapambiwa zvatakanunura, kunze kwemurume umwe neumwe mukadzi wake nevana vake, kuti vavatungamirire vaende.
  8002. 1Sa 30:23 Zvino Dhavhidhi wakati: Hamuiti saizvozvo, hama dzangu, neizvo Jehovha zvaakatipa, uye iye wakatichengeta ndokupa muruoko rwedu hondo yakauya kutirwisa.
  8003. 1Sa 30:24 Nokuti ndiyani achateerera kwamuri panyaya iyi? Nokuti semugove wewakaburukira kuhondo wakadaro mugove weanosara nenhumbi; vachagoverana zvakaenzana.
  8004. 1Sa 30:25 Zvino zvakaitika kubva pazuva iro zvichienda mberi kuti wakachigadza kuva chimiso nemutemo kwaIsraeri kusvika zuva rino.
  8005. 1Sa 30:26 Dhavhidhi paakasvika kuZikiragi, wakatumira zvezvaiva zvapambiwa kuvakuru vekwaJudha kushamwari dzake achiti: Tarirai, ropafadzo yenyu inobva pazvakapambiwa zvevavengi vaJehovha;
  8006. 1Sa 30:27 kune vari muBheteri, nekune vari Ramoti yekuchamhembe, nekune vari muJatiri,
  8007. 1Sa 30:28 nekune vari muAroeri, nekune vari muSifimoti, nekune vari muEshitemowa,
  8008. 1Sa 30:29 nekune vari muRakari, nekune vari kumaguta evaJerameeri, nekune vari pamaguta evaKeni,
  8009. 1Sa 30:30 nekune vari muHorima, nekune vari muBori-Ashani, nekune vari muAtaki,
  8010. 1Sa 30:31 nekune vari muHebhuroni, nekune nzvimbo dzose dzaifamba Dhavhidhi, iye nevarume vake.
  8011. 1Sa 31:1 Zvino vaFirisitia vakarwa naIsraeri; varume vaIsraeri ndokutiza pamberi pevaFirisitia, vakawa vafa pagomo reGiribhoa.
  8012. 1Sa 31:2 VaFirisitia ndokunamatira pana Sauro nepavanakomana vake. VaFirisitia ndokuuraya Jonatani naAbhinadhabi naMariki-Shua vanakomana vaSauro.
  8013. 1Sa 31:3 Zvino hondo yakaomera Sauro; vafuri ndokumuwana, varume veuta; zvino akarwadziswa zvikuru nevafuri.
  8014. 1Sa 31:4 Zvino Sauro wakati kumutakuri wezvombo zvake: Vhomora munondo wako ugondibaya nawo, zvimwe ava vasina kudzingiswa vangasvika vakandibaya, vakandibata nemutoo wakaipa. Asi mutakuri wezvombo zvake haana kutenda, nokuti wakatya zvikuru. Naizvozvo Sauro wakatora munondo ndokuwira pamusoro pawo.
  8015. 1Sa 31:5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro wafa, naiye wakawira pamusoro pemunondo wake, ndokufa pamwe naye.
  8016. 1Sa 31:6 Sauro ndokufa, nevanakomana vake vatatu, nemutakuri wezvombo zvake, nevarume vake vose, nezuva iro pamwe chete.
  8017. 1Sa 31:7 Zvino varume vekwaIsraeri vaiva mhiri kwemupata nevaiva mhiri kwaJoridhani vachiona kuti varume vekwaIsraeri vatiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vaiva vafa, vakasiya maguta, vakatiza. VaFirisitia vakasvika vakagara maari.
  8018. 1Sa 31:8 Zvino zvakaitika chifume vaFirisitia pavakasvika kuzokumura vakaurawa, kuti vakawana Sauro nevanakomana vake vatatu vawa mugomo reGiribhoa.
  8019. 1Sa 31:9 Zvino vakagura musoro wake, ndokukumura zvombo zvake, ndokutumira kunyika yevaFirisitia kumativi ose, kuparidza shoko kuimba yezvifananidzo zvavo, nekuvanhu.
  8020. 1Sa 31:10 Zvino vakaisa zvombo zvake muimba yaAshitaroti, vakaroverera chitunha chake pamadziro eBheti-Shani.
  8021. 1Sa 31:11 Vagari veJabheshi-Giriyadhi pavakanzwa vaFirisitia zvavaiva vaitira Sauro,
  8022. 1Sa 31:12 varume vose veumhare vakasimuka, ndokufamba usiku hwose, ndokutora chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake pamadziro eBheti-Shani, ndokuuya kuJabheshi ndokuzvipisirapo.
  8023. 1Sa 31:13 Zvino vakatora mapfupa avo ndokuaviga pazasi pemutamarisiki paJabheshi, ndokutsanya mazuva manomwe
  8024. 2Sa 1:1 Zvino zvakaitika shure kwekufa kwaSauro, Dhavhidhi paaiva adzoka pakurova vaAmareki, Dhavhidhi ndokugara mazuva maviri paZikiragi.
  8025. 2Sa 1:2 Zvakaitikawo nezuva retatu, kuti tarira, kwakasvika munhu kubva kumusasa, kubva kuna Sauro, ane nhumbi dzake dzakabvaruka, ane mavhu mumusoro wake. Zvino zvakaitika pakusvika kwake kuna Dhavhidhi, kuti wakawira pavhu, ndokumunamata.
  8026. 2Sa 1:3 Zvino Dhavhidhi wakati kwaari: Unobvepi? Iye ndokuti kwaari: Ndapukunyuka kubva kumusasa waIsraeri.
  8027. 2Sa 1:4 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Yakadii nyaya? Ndiudze hako. Iye ndokuti: Vanhu vatiza pahondo, uyewo vazhinji vevanhu vawa uye vafa, uyewo Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa.
  8028. 2Sa 1:5 Dhavhidhi ndokuti kujaya rakamuudza: Waziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafa?
  8029. 2Sa 1:6 Zvino jaya raiva ramuudza rakati: Ndakati ndichingosvikawo zvangu pagomo reGiribhoa, zvino tarira, Sauro wakasendama papfumo rake, zvino tarira, ngoro nevatasvi vemabhiza vaiva vakamunamatira.
  8030. 2Sa 1:7 Paakatarisa shure wakandiona ndokudana kwandiri. Zvino ndakati: Ndiri pano.
  8031. 2Sa 1:8 Zvino wakati kwandiri: Ndiwe ani? Zvino ndakati kwaari: Ndiri muAmareki.
  8032. 2Sa 1:9 Zvino wakati kwandiri: Mira hako pamusoro pangu undiuraye, nokuti marwadzo makuru andibata, nokuti upenyu hwangu huchizere mandiri.
  8033. 2Sa 1:10 Naizvozvo ndakamira pamusoro pake ndokumuuraya, nokuti ndaiva ndichiziva kuti haangararami shure kwekuwa kwake. Zvino ndakatora korona yaiva pamusoro wake, neruketani rwaiva paruoko rwake, ndokuuya nazvo pano kuna ishe wangu.
  8034. 2Sa 1:11 Zvino Dhavhidhi wakabata nguvo dzake ndokudzibvarura; saizvozvo nevarume vose vaiva naye.
  8035. 2Sa 1:12 Zvino vakaungudza nekuchema misodzi nekutsanya kusvika madekwani pamusoro paSauro nepamusoro paJonatani mwanakomana wake nepamusoro pevanhu vaJehovha nepamusoro peimba yaIsraeri nokuti vaiva vawa nemunondo.
  8036. 2Sa 1:13 Zvino Dhavhidhi wakati kujaya rakamuudza: Unobvepi? Iro ndokuti: Ndiri mwanakomana wemutorwa, muAmareki.
  8037. 2Sa 1:14 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Sei usina kutya kutandavadza ruoko rwako kuparadza muzodzwa waJehovha?
  8038. 2Sa 1:15 Dhavhidhi ndokudana rimwe remajaya ndokuti: Swedera, umuwire. Iye ndokumurova kusvika afa.
  8039. 2Sa 1:16 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Ropa rako ngarive pamusoro pemusoro wako, nokuti muromo wako wakupupurira, uchiti: Ini ndakauraya muzodzwa waJehovha.
  8040. 2Sa 1:17 Dhavhidhi ndokuungudza mariro awa nekuda kwaSauro uye nekuda kwaJonatani mwanakomana wake.
  8041. 2Sa 1:18 Ipapo wakati zvidzidziswe vana vaJudha ‘Uta’. Tarira zvakanyorwa mubhuku raJashari.
  8042. 2Sa 1:19 Runako rwaIsraeri rwaurawa panzvimbo dzako dzakakwirira! Vane simba vakawa sei!
  8043. 2Sa 1:20 Musazvitaura paGati, musazviparidza panzira dzeAshikeroni; zvimwe vakunda vevaFirisitia vangafara, zvimwe vangapembera vakunda vevasina kudzingiswa.
  8044. 2Sa 1:21 Imwi makomo eGiribhoa, kurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo. Nokuti nhovo yemhare yakasemeswapo, nhovo yaSauro, isina kuzodzwa nemafuta.
  8045. 2Sa 1:22 Kubva paropa revakaurawa, pamafuta evane simba, uta hwaJonatani hahuna kudzokera. Uye munondo waSauro hauna kudzokera usina chinhu.
  8046. 2Sa 1:23 Sauro naJonatani vaiva vadikanwa uye vakanaka paupenyu hwavo; nepakufa kwavo havana kuparadzaniswa; vaikurumidza kupfuura makondo, vaiva nesimba kupfuura shumba.
  8047. 2Sa 1:24 Imwi vakunda vaIsraeri, chemerai Sauro, wakakufukidzai nezvitsvuku nemufaro, wakaisa zvishongo zvegoridhe pazvipfeko zvenyu.
  8048. 2Sa 1:25 Vakawa sei vane simba pakati pehondo! Jonatani wakaurawa panzvimbo dzako dzakakwirira.
  8049. 2Sa 1:26 Ndinoshungurudzika newe, munin’ina wangu Jonatani; wanga uchifadza kwazvo kwandiri; rudo rwako kwandiri rwaishamisa rwuchipfuura rudo rwevakadzi.
  8050. 2Sa 1:27 Vane simba vakawa sei! Zvakaparara nezvombo zvehondo!
  8051. 2Sa 2:1 Zvino zvakaitika shure kweizvi, kuti Dhavhidhi wakabvunza Jehovha achiti: Ndingakwira kune rimwe remaguta aJudha here? Jehovha ndokuti kwaari: Kwira. Dhavhidhi ndokuti: Ndikwire kupi? Iye ndokuti: KuHebhuroni.
  8052. 2Sa 2:2 Naizvozvo Dhavhidhi wakakwirako, nevakadzi vake vaviriwo, Ahinowamu mukadzi muJezireeri, naAbhigairi mukadzi waNabhari muKarimeri.
  8053. 2Sa 2:3 Dhavhidhi ndokukwidzawo varume vake vaiva naye, umwe neumwe neveimba yake, ndokugara pamaguta eHebhuroni.
  8054. 2Sa 2:4 Zvino varume vaJudha vakauya ndokuzodzapo Dhavhidhi kuva mambo pamusoro peimba yaJudha. Zvino vakaudza Dhavhidhi vachiti: Varume veJabheshi-Giriyadhi ndivo vakaviga Sauro.
  8055. 2Sa 2:5 Dhavhidhi ndokutuma nhume kuvarume veJabheshi-Giriyadhi, ndokuti kwavari: Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro tsitsi idzi, mukamuviga.
  8056. 2Sa 2:6 Zvino ikozvino Jehovha ngaakuitirei tsitsi nechokwadi. Ini neni ndichakuitirai zvakanaka izvi, nokuti makaita chinhu ichi.
  8057. 2Sa 2:7 Zvino ikozvino maoko edu ngaasimbe, uye muve veumhare; nokuti Sauro tenzi wenyu wafa, uyewo veimba yaJudha vandizodza kuva mambo pamusoro pavo.
  8058. 2Sa 2:8 Asi Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo waiva waSauro, wakatora Ishibhosheti mwanakomana waSauro ndokumuyambusira kuMahanayimu;
  8059. 2Sa 2:9 ndokumuita mambo pamusoro peGiriyadhi nepamusoro pevaAshuri nepamusoro peJezireeri nepamusoro paEfuremu nepamusoro paBhenjamini nepamusoro paIsraeri wose.
  8060. 2Sa 2:10 Ishibhosheti mwanakomana waSauro waiva mwanakomana wemakore makumi mana paakava mambo pamusoro paIsraeri, ndokutonga makore maviri. Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi.
  8061. 2Sa 2:11 Zvino uwandu hwemazuva Dhavhidhi hwaaiva mambo muHebhuroni pamusoro peimba yaJudha hwaiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
  8062. 2Sa 2:12 Zvino Abhineri mwanakomana waNeri wakabuda, nevaranda vaIshibhosheti mwanakomana waSauro, kubva Mahanayimu kuenda kuGibhiyoni.
  8063. 2Sa 2:13 NaJoabhu mwanakomana waZeruya nevaranda vaDhavhidhi vakabuda, ndokusangana pamwe navo padziva reGibhiyoni. Zvino vakagara, ava kuno kwedziva, neavo uko kwedziva.
  8064. 2Sa 2:14 Abhineri ndokuti kuna Joabhu: Majaya ngaasimuke hawo uye atambe pamberi pedu. Joabhu ndokuti: Ngaasimuke.
  8065. 2Sa 2:15 Zvino kwakasimuka ndokupfuura pauwandu gumi nevaviri kwaBhenjamini nekwaIshibhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi nevaviri vevaranda vaDhavhidhi.
  8066. 2Sa 2:16 Zvino vakabata umwe neumwe musoro weumwe uye munondo wake ndokubaya parutivi rweumwe; naizvozvo vakawira pasi pamwe. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Herikati-Haruzimi, iri paGibhiyoni.
  8067. 2Sa 2:17 Zvino kwakava nehondo inorwadza zvikuru zuva iro. Abhineri nevarume vaIsraeri ndokurohwa pamberi pevaranda vaDhavhidhi.
  8068. 2Sa 2:18 Zvino kwaiva nevanakomana vatatu vaZeruya ipapo: Joabhu naAbhishai naAsaheri; uye Asaheri waiva mhepo seimwe yechengu iri musango.
  8069. 2Sa 2:19 Zvino Asaheri wakadzingirira shure Abhineri; zvino pakufamba iye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri.
  8070. 2Sa 2:20 Zvino Abhineri wakacheuka ndokuti: Ndiwe Asaheri here? Iye ndokuti: Ndini.
  8071. 2Sa 2:21 Zvino Abhineri wakati kwaari: Tsaukira iwe kurudyi rwako kana kuruboshwe rwako, uzvibatire rimwe remajaya, ugozvitorera zvombo zvaro. Asi Asaheri haana kuda kutsauka pakumuteverera.
  8072. 2Sa 2:22 Abhineri ndokutizve zvekare kuna Asaheri: Tsauka iwe pakunditeverera; ndichakurovererei muvhu? Uye ndichasimudzira sei chiso changu kuna Joabhu mukoma wako?
  8073. 2Sa 2:23 Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamurova neshure kwepfumo mudumbu, kusvika pfumo rabuda neseri kwake; zvino akawira pasi ipapo, ndokufira panzvimbo iyo. Zvino zvakaitika kuti vose vakasvika panzvimbo paiva pawira Asaheri akafa, vakamira.
  8074. 2Sa 2:24 Asi Joabhu naAbhishai vakadzingirira shure Abhineri, zuva ndokuvira ivo vachisvika kuchikomo cheAma, chiri pamberi peGiya panzira yerenje reGibhiyoni.
  8075. 2Sa 2:25 Zvino vana vaBhenjamini vakaungana shure kwaAbhineri ndokuva boka rimwe, ndokumira panhongonya yechikomo.
  8076. 2Sa 2:26 Zvino Abhineri wakadanidzira kuna Joabhu ndokuti: Munondo uchadya rinhi narinhi here? Hauzivi here kuti kuchava kuvava pakupedzisira? Kusvika rinhi usingavaudzi vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?
  8077. 2Sa 2:27 Joabhu ndokuti: NaMwari mupenyu, kunze kwekuti dai wataura, zvirokwazvo zvino kubva mangwanani vanhu vangadai vakwira umwe neumwe achibva pakuteverera hama yake.
  8078. 2Sa 2:28 Naizvozvo Joabhu wakaridza hwamanda, vanhu vose ndokumira, ndokurega kuzodzingirirazve shure Israeri, ndokurega kurwazve zvekare.
  8079. 2Sa 2:29 Zvino Abhineri nevarume vake vakafamba vachigura nemumapani usiku uhwo hwose, ndokuyambuka Joridhani, ndokugura neBhitironi yose, ndokusvika paMahanayimu.
  8080. 2Sa 2:30 Zvino Joabhu wakadzoka pakuteverera Abhineri; paaiva aunganidza vanhu vose, kwakashayikwa pavaranda vaDhavhidhi varume gumi nevapfumbamwe naAsaheri.
  8081. 2Sa 2:31 Asi varanda vaDhavhidhi vaiva vakarova varume mazana matatu nemakumi matanhatu vevaBhenjamini nevevarume vaAbhineri vakafa.
  8082. 2Sa 2:32 Zvino vakasimudza Asaheri, ndokumuviga muguva rababa vake raiva paBheterehemu. Joabhu nevarume vake ndokufamba usiku hwose, ndokuedza vava paHebhuroni.
  8083. 2Sa 3:1 Zvino kwaiva nehondo refu pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba achisimba, asi veimba yaSauro vakaramba vachishaiwa simba.
  8084. 2Sa 3:2 Zvino kwakaberekerwa Dhavhidhi vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni waAhinowamu mukadzi muJezireeri;
  8085. 2Sa 3:3 newechipiri wake waiva Kireabhi waAbhigairi mukadzi waNabhari muKarimeri; newechitatu waiva Abhusaromu mwanakomana waMaaka mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;
  8086. 2Sa 3:4 newechina waiva Adhonia mwanakomana waHagiti; newechishanu waiva Shefatia mwanakomana waAbhiatari;
  8087. 2Sa 3:5 newechitanhatu waiva Itireami waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ava vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.
  8088. 2Sa 3:6 Zvino zvakaitika pachine hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi kuti Abhineri wakazvisimbisa paimba yaSauro.
  8089. 2Sa 3:7 Zvino Sauro waiva ane murongo, wainzi Rizipa mukunda waAya; Ishibhosheti ndokuti kuna Abhineri: Wapindirei kumurongo wababa vangu?
  8090. 2Sa 3:8 Abhineri ndokutsamwa kwazvo nemashoko aIshibhosheti, ndokuti: Ndiri musoro wembwa iri yaJudha here? Nhasi ndinoitira tsitsi imba yaSauro baba vako, vanin’ina vake, neshamwari dzake, uye handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kuti undipe mhosva nhasi pamusoro pemukadzi uyu.
  8091. 2Sa 3:9 Mwari ngaaite saizvozvo kuna Abhineri, awedzere achidaro kwaari, zvirokwazvo, Jehovha sezvaakapika kuna Dhavhidhi, zvirokwazvo ndichaita saizvozvo kwaari;
  8092. 2Sa 3:10 kupfuudza ushe kubva paimba yaSauro, nekumisa chigaro cheushe chaDhavhidhi pamusoro paIsraeri uye pamusoro paJudha, kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha.
  8093. 2Sa 3:11 Zvino haana kugona kupindurazve Abhineri shoko, nokuti waimutya.
  8094. 2Sa 3:12 Zvino Abhineri wakatuma nhume kuna Dhavhidhi pachinzvimbo chake achiti: Nyika ndeyani? Achiti: Ita sungano yako neni, uye tarira, ruoko rwangu rwuchava newe, kuuisa Israeri wose kwauri.
  8095. 2Sa 3:13 Zvino wakati: Zvakanaka, ini ndichaita sungano newe; asi ndinokumbira chinhu chimwe kwauri, chinova chekuti haungaoni chiso changu, kunze kwekuti waunza Mikari mukunda waSauro kutanga, paunouya kuzoona chiso changu.
  8096. 2Sa 3:14 Zvino Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Ishibhosheti mwanakomana waSauro achiti: Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakazvipfimbira nezvikanda zvepamberi zana zvevaFirisitia.
  8097. 2Sa 3:15 Zvino Ishibhosheti wakatuma nhume ndokumutora kumurume, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi.
  8098. 2Sa 3:16 Zvino murume wake wakaenda naye, achifamba achichema shure kwake kusvika paBhahurimu. Abhineri ndokuti kwaari: Enda, dzokera; zvino akadzokera.
  8099. 2Sa 3:17 Zvino Abhineri wakava nekurangana nevakuru vaIsraeri achiti: Maitsvaka Dhavhidhi zuro namarimwezuro kuti ave mambo pamusoro penyu.
  8100. 2Sa 3:18 Zvino ikozvino zviitei, nokuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi achiti: Neruoko rwemuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu Israeri paruoko rwevaFirisitia, neparuoko rwevavengi vavo vose.
  8101. 2Sa 3:19 Abhineri ndokutaurawo munzeve dzaBhenjamini; Abhineri ndokuenda kunotaurawo munzeve dzaDhavhidhi muHebhuroni zvose zvaiva zvakanaka pameso paIsraeri nepameso eimba yose yaBhenjamini.
  8102. 2Sa 3:20 Naizvozvo Abhineri wakasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni ane varume makumi maviri. Zvino Dhavhidhi wakaitira Abhineri nevanhu vaaiva navo mabiko.
  8103. 2Sa 3:21 Abhineri ndokuti kuna Dhavhidhi: Ndichasimuka ndigoenda, ndigounganidzira Israeri wose ishe wangu mambo, kuti vaite sungano nemwi, uye kuti mutonge pamusoro pezvose moyo wenyu zvaunoshuva. Dhavhidhi ndokuendesa Abhineri, iye ndokuenda nerugare.
  8104. 2Sa 3:22 Zvino tarira, varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakasvika kubva pakupamba, ivo ndokuunza pamwe navo zvakapambiwa zvizhinji; asi Abhineri waiva asipo pana Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti waiva amuendesa, iye ndokuenda nerugare.
  8105. 2Sa 3:23 Joabhu nehondo yose yaiva naye vakati vasvika, ivo ndokuudza Joabhu vachiti: Abhineri mwanakomana waNeri wakasvika kuna mambo, iye ndokumuendesa, iye ndokuenda nerugare.
  8106. 2Sa 3:24 Zvino Joabhu wakaenda kuna mambo ndokuti: Maitei? Tarirai, Abhineri wakasvika kwamuri. Makamuendeserei, zvino waenda zvekuenda?
  8107. 2Sa 3:25 Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri kuti wakauya kuzokunyengerai nekuziva kubuda kwenyu nekupinda kwenyu, nekuziva zvose zvamunoita.
  8108. 2Sa 3:26 Joabhu paaiva abuda kubva kuna Dhavhidhi wakatuma nhume kutevera Abhineri, idzo ndokumudzosa patsime reSira; asi Dhavhidhi waiva asingazivi.
  8109. 2Sa 3:27 Abhineri paaiva adzoka kuHebhuroni, Joabhu wakamutora parutivi pakati pesuwo kutaura naye chinyararire, ndokumurovapo pasi mudumbu kusvika afa, nekuda kweropa remunin’ina wake Asaheri.
  8110. 2Sa 3:28 Pashure Dhavhidhi paaiva anzwa wakati: Ini neushe hwangu hatina mhosva pamberi paJehovha kusvika rinhi narinhi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri.
  8111. 2Sa 3:29 Ngazvigare pamusoro waJoabhu nepamusoro peimba yose yababa vake. Ngakurege kugurwa kubva paimba yaJoabhu ane kuyerera kana ane maperembudzi kana anodonzva kana anowa nemunondo kana anoshaiwa zvekudya.
  8112. 2Sa 3:30 Naizvozvo Joabhu naAbhishai munin’ina wake vakauraya Abhineri, nokuti waiva auraya munin’ina wavo Asaheri paGibhiyoni pahondo.
  8113. 2Sa 3:31 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Joabhu nekuvanhu vose vaiva naye: Bvarurai nguvo dzenyu, musunge masaga pazviuno zvenyu, uye mucheme pamberi paAbhineri. Mambo Dhavhidhi ndokutevera hwanyanza.
  8114. 2Sa 3:32 Zvino vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo ndokusimudza inzwi rake ndokuchema paguva raAbhineri; nevanhu vose vakachema.
  8115. 2Sa 3:33 Mambo ndokuungudzira Abhineri, ndokuti: Abhineri afa sekufa kwebenzi here?
  8116. 2Sa 3:34 Maoko ako aiva asina kusungwa, nemakumbo ako aiva asina kupinzwa mumatare; iwe wakafa sekufa kwemunhu pamberi pevana vezvakaipa. Vanhu vose vakamuchemazve.
  8117. 2Sa 3:35 Zvino vanhu vose vakauya kuzoita kuti Dhavhidhi adye zvekudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika achiti: Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri awedzere saizvozvo, kana ndikaravira chingwa kana chimwe zvacho zuva risati ravira.
  8118. 2Sa 3:36 Vanhu vose ndokucherekedza, uye zvakava zvakanaka pameso avo, sezvo chipi nechipi mambo chaanoita chakanaka pameso evanhu vose.
  8119. 2Sa 3:37 Nokuti vanhu vose naIsraeri wose vakaziva nezuva iro kuti zvaiva zvisiri zvamambo kuuraya Abhineri mwanakomana waNeri.
  8120. 2Sa 3:38 Zvino mambo wakati kuvaranda vake: Hamuzivi here kuti nhasi kwawa muchinda uye mukuru kwaIsraeri?
  8121. 2Sa 3:39 Neni nhasi handina simba uye ndiri mambo wakazodzwa; nevarume ava vanakomana vaZeruya vakaoma kundikunda. Jehovha achatsiva muiti wechakaipa zvinoenderana neuipi hwake.
  8122. 2Sa 4:1 Mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri wafira paHebhuroni, maoko ake ndokushaiwa simba, naIsraeri wose akatambudzika.
  8123. 2Sa 4:2 Zvino mwanakomana waSauro waiva nevarume vaviri vaiva vakuru vemapoka; zita reumwe raiva Bhaana, uye zita reumwe Rekabhu; vanakomana vaRimoni muBheeroti wevana vaBhenjamini; nokuti Bheeroti raiverengerwawo kuna Bhenjamini.
  8124. 2Sa 4:3 Zvino VaBheeroti vakatizira kuGitaimu, uye variko vaiva vatorwa kusvika nhasi.
  8125. 2Sa 4:4 Zvino Jonatani mwanakomana waSauro waiva ane mwanakomana wakaremara tsoka mbiri. Iye waiva wemakore mashanu pakusvika kwerunyerekupe rwaSauro naJonatani kubva paJezireeri. Mureri wake ndokumusimudza ndokutiza. Zvino zvakaitika pakukurumidza kwake kutiza, kuti mwana wakawa ndokuremara. Uye zita rake raiva Mefibhosheti.
  8126. 2Sa 4:5 Zvino vanakomana vaRimoni muBheeroti, Rekabhu naBhaana, vakaenda ndokusvika pakupisa kwezuva paimba yaIshibhosheti; uye iye waiva arere pamubhedha pamasikati makuru.
  8127. 2Sa 4:6 Ivo ndokupinda mukati mumba, vachitora gorosi, ndokumurova mudumbu. Rekabhu naBhaana munin’ina wake ndokupukunyuka.
  8128. 2Sa 4:7 Nokuti vachipinda mumba iye waiva arere pamubhedha wake muimba yake yekurara, ivo ndokumurova ndokumuuraya ndokumugura musoro ndokutora musoro wake ndokuenda nenzira yebani usiku hwose.
  8129. 2Sa 4:8 Zvino vakaunza musoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ndokuti kuna mambo: Tarirai, musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu waitsvaka upenyu hwenyu; Jehovha wapa kutsiva kukuru nhasi kuna ishe wangu mambo pana Sauro nepembeu yake.
  8130. 2Sa 4:9 Zvino Dhavhidhi wakapindura Rekabhu naBhaana munin’ina wake vanakomana vaRimoni muBheeroti ndokuti kwavari: NaJehovha mupenyu, wakadzikinura mweya weupenyu wangu kubva padambudziko rese;
  8131. 2Sa 4:10 anondiudza paanoti: Tarirai, Sauro wafa; kunyange iye aiva semutakuri weshoko rakanaka pameso ake, ipapo ndakamubata ndokumuuraya paZikiragi pane kuti ndimupe mubairo weshoko rakanaka.
  8132. 2Sa 4:11 Zvikuru sei vanhu vakaipa pavanouraya munhu wakarurama mumba make ari pamubhedha wake; zvino ikozvino, handingatsvaki ropa rake muruoko rwenyu ndigokubvisai panyika here?
  8133. 2Sa 4:12 Zvino Dhavhidhi wakaraira majaya, iwo ndokuvauraya, ndokugura maoko avo netsoka dzavo, ndokuvaremberedza padziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshibhosheti, ndokuuviga muguva raAbhineri muHebhuroni.
  8134. 2Sa 5:1 Zvino marudzi ose aIsraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni ndokutaura vachiti: Tarirai, tiri pfupa renyu nenyama yenyu.
  8135. 2Sa 5:2 Uye zuro namarimwezuro Sauro paaiva mambo pamusoro pedu, ndimwi maibudisa nekupinza Israeri; Jehovha ndokuti kwamuri: Iwe uchafudza vanhu vangu Israeri, uye iwe uchava mutungamiriri pamusoro paIsraeri.
  8136. 2Sa 5:3 Naizvozvo vakuru vose vaIsraeri vakauya kuna mambo kuHebhuroni, mambo Dhavhidhi ndokuita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo ndokuzodza Dhavhidhi kuva mambo pamusoro paIsraeri.
  8137. 2Sa 5:4 Dhavhidhi waiva wemakore makumi matatu pakuva kwake mambo. Wakatonga makore makumi mana.
  8138. 2Sa 5:5 Wakatonga pamusoro paJudha paHebhuroni makore manomwe nemwedzi mitanhatu; uye paJerusarema wakatonga makore makumi matatu nematatu pamusoro paIsraeri wose naJudha.
  8139. 2Sa 5:6 Zvino mambo nevarume vake vakaenda kuJerusarema kuvaJebhusi vagari venyika iyo; ivo vakataura kuna Dhavhidhi vachiti: Haungapindi pano, kunze kwekuti wabvisa mapofu nezvirema, vachiti: Dhavhidhi haangapindi pano.
  8140. 2Sa 5:7 Zvakadaro Dhavhidhi wakatapa nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
  8141. 2Sa 5:8 Zvino Dhavhidhi wakati nezuva iro: Ani nani anorova vaJebhusi, ngaarove kumugero wemvura zvirema nemapofu, vanovengwa nemweya weupenyu waDhavhidhi. Nokuti vakati: Mapofu nezvirema havangapindi mumba.
  8142. 2Sa 5:9 Zvino Dhavhidhi wakagara munhare ndokuitumidza kuti guta raDhavhidhi. Dhavhidhi ndokuvaka kupoteredza, kubva paMiro zvichienda mukati.
  8143. 2Sa 5:10 Dhavhidhi ndokuenderera mberi uye achiva mukuru; uye Jehovha Mwari wehondo waiva anaye.
  8144. 2Sa 5:11 Zvino Hiramu mambo weTire wakatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari, nevavezi vematanda, nevavezi vemabwe, ndokuvakira Dhavhidhi imba.
  8145. 2Sa 5:12 Zvino Dhavhidhi wakaziva kuti Jehovha wakamusimbisa kuva mambo pamusoro paIsraeri, uye kuti waiva akwiridzira umambo hwake nekuda kwevanhu vake Israeri.
  8146. 2Sa 5:13 Zvino Dhavhidhi wakatora vamwe varongo nevakadzi kubva muJerusarema shure kwekubva kwake kuHebhuroni; uye kwaiva nevamwe vanakomana nevanasikana vakaberekerwa Dhavhidhi.
  8147. 2Sa 5:14 Zvino awa mazita evaakaberekerwa muJerusarema: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,
  8148. 2Sa 5:15 naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,
  8149. 2Sa 5:16 naErishama, naEriadha, naErifereti.
  8150. 2Sa 5:17 Zvino vaFirisitia vanzwa kuti vazodza Dhavhidhi kuti ave mambo pamusoro paIsraeri; vaFirisitia vose vakakwira kutsvaka Dhavhidhi. Zvino Dhavhidhi akazvinzwa, ndokuburukira munhare.
  8151. 2Sa 5:18 VaFirisitia vakati vasvika vakapararira pamupata weRefaimu.
  8152. 2Sa 5:19 Dhavhidhi ndokubvunza kuna Jehovha achiti: Ndichakwira kuvaFirisitia here? Muchavapa muruoko rwangu here? Jehovha ndokuti kuna Dhavhidhi: Kwira, nokuti zvirokwazvo ndichapa vaFirisitia muruoko rwako.
  8153. 2Sa 5:20 Zvino Dhavhidhi wakasvika paBhaari-Perazimi, Dhavhidhi ndokuvarovapo, ndokuti: Jehovha wapoyera vavengi vangu pamberi pangu sekupoya kwemvura. Naizvozvo wakadana zita renzvimbo iyo Bhaari-Perazimi.
  8154. 2Sa 5:21 Zvino vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo; Dhavhidhi nevanhu vake ndokuzvibvisa.
  8155. 2Sa 5:22 VaFirisitia vakadzokororazve kukwira, ndokupararira pamupata weRefaimu.
  8156. 2Sa 5:23 Zvino Dhavhidhi wakabvunza Jehovha. Iye ndokuti: Usakwira, pota shure kwavo, ugosvika kwavari pakatarisana nemiti yemibharisamu.
  8157. 2Sa 5:24 Zvino zvichaitika pauchanzwa mutinhiro wekufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, ipapo uchagura zvauchaita, nokuti ipapo Jehovha wabuda mberi kwako kurova hondo yevaFirisitia.
  8158. 2Sa 5:25 Dhavhidhi ndokuita saizvozvo, Jehovha sezvaakamuraira; ndokurova vaFirisitia kubva paGebha kusvika wasvika paGezeri.
  8159. 2Sa 6:1 Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve vose vakasarudzwa kwaIsraeri, zvuru makumi matatu.
  8160. 2Sa 6:2 Dhavhidhi ndokusimuka ndokuenda nevanhu vose vaiva naye kubva paBhaari-Judha, kuti vakwidze areka yaMwari ibvepo, parakadanwa zita, zita raJehovha wehondo agere pakati pemakerubhi pamusoro payo.
  8161. 2Sa 6:3 Zvino vakatasvisa areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu yaiva pachikomo. Zvino Uza naAhiyo vanakomana vaAbhinadhabhu vakachaira ngoro itsva.
  8162. 2Sa 6:4 Zvino vakaisimudza kubva paimba yaAbhinadhabhu yaiva pachikomo, pamwe neareka yaMwari; Ahiyo ndokuenda mberi kweareka.
  8163. 2Sa 6:5 Zvino Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakaridza pamberi paJehovha nemarudzi ose ezviridzwa zvematanda emusipiresi, uye nembira, uye nemitengeranwa, uye nengoma, uye nematare anoridzwa, uye nemakandira.
  8164. 2Sa 6:6 Vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzaiva dzagumburwa.
  8165. 2Sa 6:7 Kutsamwa kwaJehovha ndokupfutira Uza, Mwari ndokumurova ipapo nekuda kwechitadzo; iye ndokufirapo paareka yaMwari.
  8166. 2Sa 6:8 Zvino Dhavhidhi wakatsamwa nokuti Jehovha wakapoyera Uza nerupoyo; ndokutumidza nzvimbo iyo Perezi-Uza kusvika nhasi.
  8167. 2Sa 6:9 Zvino Dhavhidhi wakatya Jehovha nezuva iro ndokuti: Areka yaJehovha ichauya sei kwandiri?
  8168. 2Sa 6:10 Naizvozvo Dhavhidhi haana kuda kupfuudza areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
  8169. 2Sa 6:11 Areka yaJehovha ndokuramba iri mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha ndokuropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.
  8170. 2Sa 6:12 Zvino kwakaudzwa mambo Dhavhidhi kuchinzi: Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nekuda kweareka yaMwari. Naizvozvo Dhavhidhi wakaenda ndokukwidza areka yaMwari kuibvisa kumba kwaObhedhi-Edhomu, kuiisa kuguta raDhavhidhi nemufaro.
  8171. 2Sa 6:13 Zvino zvakaitika, vaiva vakatakura areka yaJehovha pavakafamba nhambwe nhanhatu, kuti wakabaya nzombe nechakakodzwa.
  8172. 2Sa 6:14 Dhavhidhi ndokutamba pamberi paJehovha nesimba rese; uye Dhavhidhi waiva akasunga chiuno neefodhi yemucheka wakapfava.
  8173. 2Sa 6:15 Saizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakakwidza areka yaJehovha nemupururu uye nekurira kwehwamanda.
  8174. 2Sa 6:16 Zvino zvakaitika, areka yaJehovha payakasvika muguta raDhavhidhi, kuti Mikari mukunda waSauro wakatarira nepahwindo, ndokuona mambo Dhavhidhi achipembera nekutamba pamberi paJehovha, akamuzvidza mumoyo make.
  8175. 2Sa 6:17 Zvino vakapinza areka yaJehovha, ndokuiisa panzvimbo yayo pakati petende Dhavhidhi raaiva aidzikira; Dhavhidhi ndokupa zvipo zvinopiswa pamberi paJehovha, nezvipo zvekuyananisa.
  8176. 2Sa 6:18 Dhavhidhi wakati apedza kubaira chipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa, wakaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.
  8177. 2Sa 6:19 Zvino wakagovera vanhu vose, chaunga chose chaIsraeri, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kune umwe neumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nechingwa chemazambiringa akaomeswa. Zvino vanhu vose vakaenda, umwe neumwe kumba kwake.
  8178. 2Sa 6:20 Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro ndokubuda kuzochingamidza Dhavhidhi, ndokuti: Wakudzwa sei mambo waIsraeri nhasi, achizvifukura nhasi pamberi pemeso evarandakadzi vevaranda vake seumwe wevasina maturo achizvifukura zvekuzvifukura!
  8179. 2Sa 6:21 Dhavhidhi ndokuti kuna Mikari: Pamberi paJehovha wakandisarudza pachinzvimbo chababa vako, nepachinzvimbo cheimba yake yose, kuti andiite mutungamiriri pamusoro pevanhu vaJehovha, pamusoro paIsraeri; naizvozvo ndichatamba pamberi paJehovha.
  8180. 2Sa 6:22 Uye ndichazvidzika kupfuura izvi, ndideredzwe pameso pangu; asi pamwe nevarandakadzi vawareva, ndichakudzwa pamwe navo.
  8181. 2Sa 6:23 Zvino Mikari mukunda waSauro waiva asina vana kusvika zuva rekufa kwake.
  8182. 2Sa 7:1 Zvino zvakaitika mambo paaiva agere mumba make, uye Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vaiva vakamupoteredza,
  8183. 2Sa 7:2 kuti mambo wakati kuna Natani muporofita: Ona zvino, ini ndigere muimba yemusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemaketeni.
  8184. 2Sa 7:3 Natani ndokuti kuna mambo: Endai muite zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Jehovha anemwi.
  8185. 2Sa 7:4 Zvino zvakaitika usiku uhwo, kuti shoko raJehovha rakasvika kuna Natani richiti:
  8186. 2Sa 7:5 Enda unoti kumuranda wangu kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Iwe uchandivakira imba kuti ndigare here?
  8187. 2Sa 7:6 Nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakakwidza vana vaIsraeri kubva muEgipita kusvikawo nhasi; asi ndaifamba mutende nemutabhenakeri.
  8188. 2Sa 7:7 Pose pandakafamba nevana vaIsraeri vose, ndakataura here shoko kune rimwe remarudzi aIsraeri, andakaraira kufudza vanhu vangu Israeri, ndichiti: Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?
  8189. 2Sa 7:8 Naizvozvo ikozvino, uchareva saizvozvo kumuranda wangu kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha wehondo: Ini ndakakutora kudanga remakwai, pakutevera makwai, kuti uve mutongi pamusoro pevanhu vangu, pamusoro paIsraeri.
  8190. 2Sa 7:9 Uye ndakava newe kose kwawakaenda, uye ndakagura vavengi vako vose pamberi pako; uye ndakakuitira zita guru, sezita revakuru vari panyika.
  8191. 2Sa 7:10 Zvino ndichaisira vanhu vangu Israeri nzvimbo, uye ndichavasima, kuti vagare panzvimbo yavo, vasazozungunukazve; uye vana vekutsauka havangavatambudzizve sepakutanga,
  8192. 2Sa 7:11 kunyange kubva pazuva randakaraira vatongi pamusoro pevanhu vangu Israeri. Uye ndakakuzorodza pavavengi vako vose. Uye Jehovha anokuudza kuti Jehovha achakuitira imba.
  8193. 2Sa 7:12 Pachange mazuva ako azadzisika, warara nemadzibaba ako, ndichamisa mbeu yako shure kwako, ichabuda muura hwako, uye ndichasimbisa ushe hwake.
  8194. 2Sa 7:13 Iye achavakira zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwake nekusingaperi.
  8195. 2Sa 7:14 Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; achati kana achiita chakaipa, ndichamuranga netsvimbo yevanhu, uye neshamhu dzevana vevanhu.
  8196. 2Sa 7:15 Asi tsitsi dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro wandakabvisa kubva pamberi pako.
  8197. 2Sa 7:16 Zvino imba yako neushe hwako zvichasimbiswa kusvika rinhi narinhi pamberi pako, nechigaro cheushe chako chichamiswa kusvika rinhi narinhi.
  8198. 2Sa 7:17 Zvichienderana nemashoko awa ose uye zvichienderana nechiratidzo ichi chose, saizvozvo Natani wakataura naDhavhidhi.
  8199. 2Sa 7:18 Zvino mambo Dhavhidhi wakapinda, ndokugara pamberi paJehovha, ndokuti: Ndiri ani ini, Ishe Jehovha, neimba yangu chii, kuti mundisvitse kusvika pano?
  8200. 2Sa 7:19 Uye zvakadaro ichi chichiri chinhu chidiki pameso enyu, Ishe Jehovha, asi makataurawo pamusoro peimba yemuranda wenyu zvenguva ichiri kure; uye iyi itsika yevanhu, Ishe Jehovha!
  8201. 2Sa 7:20 Zvino Dhavhidhi angawedzera kutaurazve chii kwamuri? Nokuti imwi munoziva muranda wenyu, Ishe Jehovha.
  8202. 2Sa 7:21 Nekuda kweshoko renyu uye zvichienderana nemoyo wenyu makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzivisa muranda wenyu.
  8203. 2Sa 7:22 Naizvozvo muri mukuru, Ishe Jehovha, nokuti hakuna wakafanana nemwi, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, zvichienderana nezvose zvatakanzwa nenzeve dzedu.
  8204. 2Sa 7:23 Zvino ndeupi wakafanana nevanhu venyu, wakafanana naIsraeri, rudzi rwumwe panyika, Mwari vaakaenda kudzikinura kuva vanhu vake uye kuzviitira zita uye kukuitirai zvinhu zvikuru zvinotyisa panyika yenyu pamberi pevanhu venyu vamakazvidzikinurira paEgipita pavahedheni nepavamwari vavo?
  8205. 2Sa 7:24 Makazvisimbisira vanhu venyu Israeri kuti vave vanhu kwamuri kusvika rinhi narinhi; nemwi Jehovha mava Mwari wavo.
  8206. 2Sa 7:25 Zvino ikozvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura maererano nemuranda wenyu nemaererano neimba yake, risimbisei kusvika rinhi narinhi, uye muite sezvamakataura.
  8207. 2Sa 7:26 Zvino zita renyu ngarive guru kusvika rinhi narinhi, zvichinzi: Jehovha wehondo ndiMwari pamusoro paIsraeri; uye imba yemuranda wenyu Dhavhidhi isimbiswe pamberi penyu.
  8208. 2Sa 7:27 Nokuti imwi Jehovha wehondo Mwari waIsraeri, makazarura nzeve yemuranda wenyu, muchiti: Ndichakuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wakawana mumoyo make kuti anyengetere munyengetero uyu kwamuri.
  8209. 2Sa 7:28 Zvino ikozvino Ishe Jehovha, ndimwi Mwari uyu, uye mashoko enyu ichokwadi, uye makataura kumuranda wenyu zvakanaka izvi.
  8210. 2Sa 7:29 Naizvozvo ikozvino fadzwai uye ropafadzai imba yemuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu rinhi narinhi, nokuti imwi Ishe Jehovha makataura, uye imba yemuranda wenyu ngairopafadzwe nekuropafadza kwenyu rinhi narinhi.
  8211. 2Sa 8:1 Zvino zvakaitika pashure, kuti Dhavhidhi wakarova vaFirisitia ndokuvaisa pasi [pake]; Dhavhidhi ndokutora Metegi-Ama kubva muruoko rwevaFirisitia.
  8212. 2Sa 8:2 Zvino wakarova Moabhu, ndokuvayera nerwonzi, avaradzika pasi; uye nerwonzi ruviri wakayera kuuraya, uye nerwonzi rwakazara kuchengeta upenyu. VaMoabhu ndokuva varanda vaDhavhidhi vachiuya nezvipo.
  8213. 2Sa 8:3 Dhavhidhi wakarovawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZhobha, pakuenda kwake kunodzosa ushe hwake parwizi Furati.
  8214. 2Sa 8:4 Dhavhidhi ndokutapa kubva kwaari vatasvi vemabhiza churu nemazana manomwe, nevaifamba netsoka zvuru makumi maviri; Dhavhidhi ndokugura marunda emakumbo emabhiza ose engoro, asi wakasiya paari ngoro zana.
  8215. 2Sa 8:5 VaSiriya veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi wakauraya varume zvuru makumi maviri nezviviri zvevaSiriya.
  8216. 2Sa 8:6 Dhavhidhi ndokuisa mapoka evarwi muSiriya yeDhamasiko; VaSiriya ndokuva varanda vaDhavhidhi vachiuya nezvipo. Jehovha ndokuchengetedza Dhavhidhi pose paakaenda.
  8217. 2Sa 8:7 Zvino Dhavhidhi wakatora nhovo dzegoridhe dzaiva dziri pavaranda vaHadhadhezeri, ndokudziunza kuJerusarema.
  8218. 2Sa 8:8 Mambo Dhavhidhi wakatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta nepaBherotai maguta aHadhadhezeri.
  8219. 2Sa 8:9 Zvino Toi mambo weHamati wakanzwa kuti Dhavhidhi waiva arova hondo yose yaHadhadhezeri,
  8220. 2Sa 8:10 Toi ndokutuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumubvunza upenyu nekumurumbidza nokuti waiva arwisa Hadhadhezeri ndokumurova (nokuti Hadhadhezeri waiva murume wehondo naToi); uye muruoko rwake maiva nemidziyo yesirivha nemidziyo yegoridhe nemidziyo yendarira.
  8221. 2Sa 8:11 Naiyo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha pamwe nesirivha negoridhe yaaiva atsaura kubva kundudzi dzose dzaaiva aisa pasi pake;
  8222. 2Sa 8:12 kuSiriya, nekuMoabhu, nekuvana vaAmoni, nekuvaFirisitia, nekwaAmareki, nekuzvakapambiwa zvaHadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZobha.
  8223. 2Sa 8:13 Zvino Dhavhidhi wakaita zita paakadzoka pakurova VaSiriya paMupata weMunyu, vaiva varume zvuru gumi nezvisere.
  8224. 2Sa 8:14 Zvino vakaisa mapoka evarwi paEdhomu; wakaisa mapoka evarwi paEdhomu yese; uye vose veEdhomu vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha ndokuchengetedza Dhavhidhi pose paakaenda.
  8225. 2Sa 8:15 Zvino Dhavhidhi wakatonga pamusoro paIsraeri wese; Dhavhidhi ndokuita kutonga kwakarurama uye kururama kuvanhu vake vose.
  8226. 2Sa 8:16 Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya waiva pamusoro pehondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wezvinoitika.
  8227. 2Sa 8:17 Zvino Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vapristi, naSeraya waiva munyori.
  8228. 2Sa 8:18 Zvino Bhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro pevaKereti nevaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vabati.
  8229. 2Sa 9:1 Zvino Dhavhidhi wakati: Kuchine umwe wakasara weimba yaSauro kuti ndimuitire tsitsi nekuda kwaJonatani here?
  8230. 2Sa 9:2 Zvino imba yaSauro yaiva nemuranda wezita raiva Zibha. Pavaiva vamudanira kuna Dhavhidhi, mambo ndokuti kwaari: Ndiwe Zibha here? Iye ndokuti: Muranda wenyu ndiye.
  8231. 2Sa 9:3 Zvino mambo wakati: Hakuchina munhu here weimba yaSauro, wandingaitira tsitsi dzaMwari? Zibha ndokuti kuna mambo: Kuchine mwanakomana waJonatani akaremara tsoka dziri mbiri.
  8232. 2Sa 9:4 Mambo ndokuti kwaari: Aripi? Zibha ndokuti kuna mambo: Tarirai, ari mumba maMakiri mwanakomana waAmieri kuRhodhebhari.
  8233. 2Sa 9:5 Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume akandomutora kubva mumba maMakiri mwanakomana waAmieri kuRhodhebhari.
  8234. 2Sa 9:6 Mefibhosheti mwanakomana waJonatani mwanakomana waSauro paakasvika kuna Dhavhidhi wakawa nechiso chake, ndokumukotamira. Dhavhidhi ndokuti: Mefibhosheti! Iye ndokuti: Tarirai, muranda wenyu.
  8235. 2Sa 9:7 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nekuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yaSauro baba vako; uye iwe uchadya chingwa patafura yangu nguva dzose.
  8236. 2Sa 9:8 Zvino iye wakakotama ndokuti: Muranda wenyu chii kuti mutarise imbwa yakafa yakaita seni.
  8237. 2Sa 9:9 Zvino mambo wakadana Zibha muranda waSauro ndokuti kwaari: Zvose zvaiva zvaSauro nezveimba yake yose ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.
  8238. 2Sa 9:10 Zvino iwe uchamurimira ivhu, iwe nevanakomana vako nevaranda vako, uye muchaunza mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvekudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako achagara achidya zvekudya patafura yangu. Zvino Zibha waiva nevanakomana gumi nevashanu nevaranda makumi maviri.
  8239. 2Sa 9:11 Zvino Zibha wakati kuna mambo: Zvichienderana nezvose ishe wangu, mambo, zvaaraira muranda wake, muranda wenyu achaita saizvozvo. Kana ari Mefibhosheti, mambo anoti: Achadya patafura yangu seumwe wevanakomana vamambo.
  8240. 2Sa 9:12 Zvino Mefibhosheti waiva nemwanakomana mudiki, zita rake raiva Mika. Uye vose vaiva vagere mumba maZibha, vakava varanda vaMefibhosheti.
  8241. 2Sa 9:13 Zvino Mefibhosheti wakagara paJerusarema, nokuti waidya patafura yamambo nguva dzose; waiva akaremara tsoka dzake dziri mbiri.
  8242. 2Sa 10:1 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti mambo wevana vaAmoni wakafa; Hanuni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  8243. 2Sa 10:2 Zvino Dhavhidhi wakati: Ndichamuitira ngoni Hanuni mwanakomana waNahashi, baba vake sezvavakandiitira ngoni. Dhavhidhi ndokutuma neruoko rwevaranda vake kunomunyaradza pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi ndokusvika munyika yevana vaAmoni.
  8244. 2Sa 10:3 Zvino machinda evana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo: Dhavhidhi anokudza baba venyu pameso enyu here zvaatuma vanyaradzi kwamuri? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kunzvera guta nekurishora nekuriputsa here?
  8245. 2Sa 10:4 Naizvozvo Hanuni wakabata varanda vaDhavhidhi, akaveura hafu yendebvu dzavo, ndokugura nguvo dzavo nepakati kusvika kumagaro avo, ndokuvaendesa.
  8246. 2Sa 10:5 Pavakaudza Dhavhidhi, iye wakatuma kunovachingamidza, nokuti varume vainyara kwazvo. Mambo ndokuti: Garai muJeriko kusvika ndebvu dzenyu dzabuka, mugodzoka.
  8247. 2Sa 10:6 Vana vaAmoni pavakaona kuti vanhuhwa pamberi paDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma ndokuhaya vaSiriya veBheti-Rehobhu, uye vaSiriya veZobha, varume vaifamba nemakumbo zvuru makumi maviri, namambo weMaaka, varume churu, nevanhu veTobhi, zvuru gumi nezviviri.
  8248. 2Sa 10:7 Zvino Dhavhidhi azvinzwa wakatuma Joabhu nehondo yose yevane simba.
  8249. 2Sa 10:8 Zvino vana vaAmoni vakabuda, ndokurongedza hondo pamukova wesuwo; uye vaSiriya veZobha neveRehobhu nevanhu veTobhi neMaaka vaiva vega pasango.
  8250. 2Sa 10:9 Joabhu paakaona kuti hondo yemberi yaiva yakatarisa kwaari mberi neshure, wakasarudza pane vose vakasarudzwa kwaIsraeri, ndokurongedza kurwisa vaSiriya.
  8251. 2Sa 10:10 Uye vakasara pavanhu wakavapa muruoko rwaAbhishai munin’ina wake kuti avarongedzere kurwisa vana vaAmoni.
  8252. 2Sa 10:11 Zvino wakati: Kana vaSiriya vakava nesimba kundipfuura, ipapo iwe uchava rubatsiro rwangu; asi kana vana vaAmoni vakava nesimba kukupfuura, ipapo ndichauya kukununura.
  8253. 2Sa 10:12 Tsunga, uye ngatizvisimbise nekuda kwevanhu vekwedu uye nekuda kwemaguta aMwari wedu; zvino Jehovha ngaaite zvakanaka pameso ake.
  8254. 2Sa 10:13 Zvino Joabhu wakaswedera, nevanhu vaiva naye, kuhondo kurwisana nevaSiriya; ivo ndokutiza pamberi pake.
  8255. 2Sa 10:14 Vana vaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vatiza, naivo vakatiza pamberi paAbhishai ndokupinda muguta. Joabhu ndokudzoka kubva kuvana vaAmoni, ndokuuya kuJerusarema.
  8256. 2Sa 10:15 Zvino vaSiriya vaona kuti varohwa pamberi paIsraeri, ndokuungana pamwe chete.
  8257. 2Sa 10:16 Zvino Hadhadhezeri wakatuma nhume ndokubudisa vaSiriya vaiva mhiri kwerwizi, ivo ndokusvika paHeramu, naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri mberi kwavo.
  8258. 2Sa 10:17 Pazvakaudzwa Dhavhidhi, wakaunganidza Israeri wose, ndokuyambuka Joridhani, ndokusvika paHeramu. VaSiriya ndokuzvirongedzera kurwisa Dhavhidhi, ndokurwa naye.
  8259. 2Sa 10:18 Zvino vaSiriya vakatiza pamberi paIsraeri; Dhavhidhi ndokuuraya kuvaSiriya ngoro mazana manomwe, nevatasvi vemabhiza zvuru makumi mana; uye Shobhaki mukuru wehondo yavo wakamurova, ndokufirapo.
  8260. 2Sa 10:19 Madzimambo ose aiva varanda vaHadhadhezeri, paakaona kuti varohwa pamberi paIsraeri, vakaita ruyanano naIsraeri, ndokuvashandira. Naizvozvo vaSiriya vakatya kununurazve vana vaAmoni.
  8261. 2Sa 11:1 Zvino zvakaitika pakudzokorora kwegore, panguva madzimambo yaaibuda [kunorwa], kuti Dhavhidhi wakatuma Joabhu nevaranda vake vanaye, naIsraeri wese; ndokuparadza vana vaAmoni, ndokukomba Rabha. Asi Dhavhidhi wakagara paJerusarema.
  8262. 2Sa 11:2 Zvino zvakaitika panguva yemadekwani, kuti Dhavhidhi wakamuka kubva pamubhedha wake, ndokufamba-famba pamusoro pedenga reimba yamambo. Zvino ari padenga reimba wakaona mukadzi achizvishambidza; zvino mukadzi waiva akanaka kwazvo pakuonekwa.
  8263. 2Sa 11:3 Zvino Dhavhidhi wakatuma nhume ndokubvunza nezvemukadzi uyo. Zvikanzi: Haasi Bhati-Shebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?
  8264. 2Sa 11:4 Dhavhidhi ndokutuma nhume ndokumutora; iye ndokuuya kwaari; iye ndokurara naye (nokuti waiva azvinatsa pakusachena kwake); iye ndokudzokera kumba kwake.
  8265. 2Sa 11:5 Mukadzi ndokubata mimba, ndokutuma ndokuudza Dhavhidhi ndokuti: Ndava nemimba.
  8266. 2Sa 11:6 Zvino Dhavhidhi wakatuma shoko kuna Joabhu, achiti: Tuma Uriya muHiti kwandiri. Joabhu ndokutuma Uriya kuna Dhavhidhi.
  8267. 2Sa 11:7 Uriya wakati asvika kwaari, Dhavhidhi ndokubvunza mamiriro aJoabhu, nemamiriro evanhu, nemamiriro ehondo.
  8268. 2Sa 11:8 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Uriya: Burukira kumba kwako ugonoshambidza tsoka dzako. Uriya ndokubuda paimba yamambo, chipo chamambo ndokubuda kumutevera.
  8269. 2Sa 11:9 Asi Uriya wakarara pamukova weimba yamambo pamwe nevaranda vose vatenzi wake; haana kuburukira kumba kwake.
  8270. 2Sa 11:10 Vakati vaudza Dhavhidhi vachiti: Uriya haana kuburukira kumba kwake; Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya: Hauna kubva parwendo here? Waregerei kuburukira kumba kwako?
  8271. 2Sa 11:11 Uriya ndokuti kuna Dhavhidhi: Areka naIsraeri naJudha vagere mumatende, nashe wangu Joabhu nevaranda vashe wangu vakavaka musasa kusango; zvino ini ndingapinda mumba mangu kudya nekunwa nekurara nemukadzi wangu here? Neupenyu hwenyu, uye neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, handingaiti chinhu ichi.
  8272. 2Sa 11:12 Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya: Gara pano nanhasi, uye mangwana ndichakuendesa. Naizvozvo Uriya wakagara paJerusarema nezuva iro uye nezuva raitevera.
  8273. 2Sa 11:13 Zvino Dhavhidhi wakamudana, iye ndokudya nekunwa pamberi pake, zvino akamudhakisa; zvino madekwani wakabuda akanorara pamubhedha wake pamwe nevaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
  8274. 2Sa 11:14 Zvino zvakaitika mangwanani kuti Dhavhidhi wakanyora tsamba kuna Joabhu ndokutuma neruoko rwaUriya.
  8275. 2Sa 11:15 Zvino wakanyora mutsamba achiti: Isai Uriya pamberi akatarisana nehondo painopisisa mugodzokera shure kubva kwaari kuti arohwe afe.
  8276. 2Sa 11:16 Zvino zvakaitika Joabhu paaicherekedza guta, kuti wakamisa Uriya panzvimbo paaiziva kuti varume veumhare varipo.
  8277. 2Sa 11:17 Zvino varume veguta vakabuda ndokurwa naJoabhu. Zvino kwakawa pavanhu pavaranda vaDhavhidhi; kukafawo Uriya muHiti.
  8278. 2Sa 11:18 Zvino Joabhu wakatuma nhume ndokuudza Dhavhidhi mashoko ose ehondo.
  8279. 2Sa 11:19 Zvino wakaraira nhume achiti: Paunenge wapedza kupira mambo mashoko ose ehondo,
  8280. 2Sa 11:20 zvino zvikadai kuti hasha dzamambo dzikapfuta, uye iye akati kwauri: Makaswedererei kuguta kurwa? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?
  8281. 2Sa 11:21 Ndiani wakarova Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti? Handiti mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, kusvika afa paTebhezi? Makaswedererei kurusvingo? Zvino uchati: Muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.
  8282. 2Sa 11:22 Zvino nhume yakaenda, ndokusvika, ndokuudza Dhavhidhi zvose Joabhu zvaakamutuma.
  8283. 2Sa 11:23 Zvino nhume yakati kuna Dhavhidhi: Zvirokwazvo vanhu vatikurira, uye vatibudira kusango, asi tanga tiri pamusoro pavo kusvika pamukova wesuwo.
  8284. 2Sa 11:24 Zvino vafuri vari parusvingo vakafura varanda venyu, uye vamwe vevaranda vamambo vafa, uye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.
  8285. 2Sa 11:25 Zvino Dhavhidhi wakati kunhume: Reva seizvi kuna Joabhu: Chinhu ichi ngachirege kuva chakaipa pameso ako, nokuti munondo unopedza wakafanana neuyu uye wakafanana neuyo; simbisa hondo yako kurwisa guta, uriputse; uye umusimbise.
  8286. 2Sa 11:26 Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya wafa, wakachema murume wake.
  8287. 2Sa 11:27 Kuchema kwakati kwapera, Dhavhidhi wakatuma nhume ndokumutora kuisa mumba make; iye ndokuva mukadzi wake, akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi Dhavhidhi chaakaita chaiva chakaipa pameso aJehovha.
  8288. 2Sa 12:1 Zvino Jehovha wakatuma Natani kuna Dhavhidhi. Iye ndokusvika kwaari, ndokuti kwaari: Kwaiva nevarume vaviri muguta rimwe; umwe akafuma, asi umwe murombo.
  8289. 2Sa 12:2 Mufumi waiva nemakwai nemombe zhinji kwazvo.
  8290. 2Sa 12:3 Asi murombo waiva asina chinhu zvachose kunze kwegwayana rimwe resheche raaiva atenga, ndokurirera; iro ndokukura kwaari uye pamwe nevana vake; rakadya pamusuva wake, nekunwa pamukombe wake, nekurara pachifuva chake, uye rakava semukunda kwaari.
  8291. 2Sa 12:4 Mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akarega kutora kumakwai ake kana pamombe dzake, kugadzirira mupfuuri waiva asvika kwaari; asi wakatora gwayana remurombo ndokurigadzirira munhu waiva asvika kwaari.
  8292. 2Sa 12:5 Zvino kutsamwa kwaDhavhidhi kwakapfutira munhu uyu kwazvo, ndokuti kuna Natani: NaJehovha mupenyu, munhu wakaita izvi mwanakomana werufu.
  8293. 2Sa 12:6 Uye acharipira gwayana nemana, nekuda kwekuti wakaita chinhu ichi, uye nekuda kwekuti haana kuva netsitsi.
  8294. 2Sa 12:7 Zvino Natani wakati kuna Dhavhidhi: Ndiwe munhu uyo! Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari pamusoro paIsraeri: Ini ndakakuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri, uye ini ndakakununura paruoko rwaSauro.
  8295. 2Sa 12:8 Zvino ndakakupa imba yatenzi vako, nevakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, uye ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha; uye dai zvaiva zvidiki ndaikuwedzera zvakadai nezvakadai.
  8296. 2Sa 12:9 Wazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvakaipa pameso ake? Wauraya Uriya muHiti nemunondo, uye watora mukadzi wake kuva mukadzi wako, naiye wamuuraya nemunondo wevana vaAmoni.
  8297. 2Sa 12:10 Zvino ikozvino munondo haungabvi paimba yako kusvika rinhi narinhi; nokuti wakandizvidza, ndokutora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.
  8298. 2Sa 12:11 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarira, ndichakumutsira zvakaipa kubva mumba mako, uye ndichatora vakadzi vako pameso ako ndigopa muvakidzani wako, uye acharara nevakadzi vako pameso ezuva iri.
  8299. 2Sa 12:12 Nokuti iwe wakazviita pachivande, asi ini ndichaita chinhu ichi pamberi paIsraeri wose, uye pamberi pezuva.
  8300. 2Sa 12:13 Zvino Dhavhidhi akati kuna Natani: Ndatadzira Jehovha. Natani ndokuti kuna Dhavhidhi: Jehovha wabvisawo chivi chako; haungafi.
  8301. 2Sa 12:14 Zvakadaro, nokuti waita kuti vavengi vaJehovha vazvidze zvekuzvidza nechinhu ichi, mwanakomanawo wawaberekerwa achafa zvekufa.
  8302. 2Sa 12:15 Zvino Natani wakaenda kumba kwake. Jehovha ndokurova mwana mukadzi waUriya waakaberekera Dhavhidhi, akarwara kwazvo.
  8303. 2Sa 12:16 Naizvozvo Dhavhidhi wakakumbira mwana kuna Mwari; Dhavhidhi wakatsanya mutsanyo, ndokupinda, ndokurara pavhu usiku hwose.
  8304. 2Sa 12:17 Zvino vakuru veimba yake vakasimuka ndokuenda kwaari kumumutsa pavhu; asi haana kuda, uye haana kudya zvekudya navo.
  8305. 2Sa 12:18 Zvino zvakaitika pazuva rechinomwe kuti mwana wakafa. Zvino varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa; nokuti vakati: Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura kwaari, asi haana kuteerera kuinzwi redu; zvino tichamuudza sei kuti mwana wafa; angazvikuvadza.
  8306. 2Sa 12:19 Dhavhidhi paakaona kuti varanda vake vanozevezerana, Dhavhidhi wakaziva kuti mwana wafa; naizvozvo Dhavhidhi wakati kuvaranda vake: Mwana wafa here? Ivo ndokuti: Wafa.
  8307. 2Sa 12:20 Zvino Dhavhidhi wakasimuka kubva pavhu, ndokushamba, ndokuzora mafuta, ndokuchinja nguvo yake, ndokupinda muimba yaJehovha, ndokushumira; ndokuenda kumba kwake, ndokukumbira; ivo ndokuisa zvekudya pamberi pake, iye ndokudya.
  8308. 2Sa 12:21 Varanda vake ndokuti kwaari: Chii chinhu ichi chamaita? Nekuda kwemwana mupenyu makatsanya uye makachema, asi mwana afa masimuka mukadya zvekudya.
  8309. 2Sa 12:22 Iye ndokuti: Mwana achiri mupenyu ndakatsanya ndokuchema, nokuti ndakati: Ndiani anoziva, Jehovha angandinzwira tsitsi, mwana ndokurarama.
  8310. 2Sa 12:23 Asi ikozvino wafa, ndichatsanyirei? Ndinogona kumudzosazve here? Ndichaenda kwaari, asi iye haangadzoki kwandiri.
  8311. 2Sa 12:24 Zvino Dhavhidhi wakanyaradza Bhati-Shebha mukadzi wake, ndokupinda kwaari, ndokurara naye; iye ndokubereka mwanakomana, iye ndokutumidza zita rake Soromoni. Jehovha ndokumuda.
  8312. 2Sa 12:25 Zvino wakatuma neruoko rwaNatani muporofita, ndokutumidza zita rake Jedhidhia, nekuda kwaJehovha.
  8313. 2Sa 12:26 Zvino Joabhu wakarwisana neRabha revana vaAmoni, ndokutapa guta ramambo.
  8314. 2Sa 12:27 Joabhu ndokutuma nhume kuna Dhavhidhi, ndokuti: Ndarwisa Rabha, uye ndatapa guta remvura.
  8315. 2Sa 12:28 Zvino ikozvino, unganidzai vakasara vevanhu, mudzike musasa pakatarisana neguta, mugoritapa; zvimwe ini ndingatapa guta, zita rangu rigodanwa pamusoro paro.
  8316. 2Sa 12:29 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza vanhu vose, ndokuenda kuRabha, ndokurirwisa, ndokuritapa.
  8317. 2Sa 12:30 Zvino wakatora korona yamambo wavo kubva mumusoro wake; uye kurema kwayo kwaiva tarenda regoridhe neibwe rinokosha. Zvino yakava mumusoro waDhavhidhi. Wakabudisa zvakapambiwa zveguta zvizhinji kwazvo.
  8318. 2Sa 12:31 Wakabudisawo vanhu vaivamo ndokuisa pasi pemasaha, nemidziyo yekuchekesa yematare, nemasanhu ematare, ndokuvapfuudza mumatope ezvitinha. Zvino wakaita saizvozvo nemaguta ose evana vaAmoni. Dhavhidhi nevanhu vose vakadzokera kuJerusarema.
  8319. 2Sa 13:1 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi waiva ane hanzvadzi yakanaka, zita rake raiva Tamari. Zvino Amunoni mwanakomana waDhavhidhi wakamuda.
  8320. 2Sa 13:2 Zvino Amunoni wakatambudzika kusvika arwara nekuda kwaTamari hanzvadzi yake; nokuti waiva ari mhandara, uye zvairema mumeso aAmunoni kumuitira chinhu.
  8321. 2Sa 13:3 Asi Amunoni waiva ane shamwari, zita rayo raiva Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi. Zvino Jonadhabhu waiva ari munhu waiva nemano kwazvo.
  8322. 2Sa 13:4 Iye ndokuti kwaari: Sei iwe, mwanakomana wamambo, uchionda zvakadai mangwanani nemangwanani? Haundiudzi here? Amunoni ndokuti kwaari: Ndinoda Tamari, hanzvadzi yemunin’ina wangu Abhusaromu.
  8323. 2Sa 13:5 Jonadhabhu ndokuti kwaari: Rara pamubhedha wako, ugozviita murwere; zvino baba vako pavanosvika kuzokuona, uti kwavari: Regai henyu hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvekudya kuti ndidye, uye agadzire zvekudya pamberi pemeso angu, kuti ndione ndigodya paruoko rwake.
  8324. 2Sa 13:6 Amunoni ndokurara pasi, akazviita murwere. Zvino mambo wakati asvika kumuona, Amunoni wakati kuna mambo: Regai henyu Tamari, hanzvadzi yangu auye agoita makeke maviri pamberi pemeso angu, kuti ndidye paruoko rwake.
  8325. 2Sa 13:7 Zvino Dhavhidhi wakatuma shoko kumusha kuna Tamari achiti: Enda ikozvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako ugomugadzirira zvekudya.
  8326. 2Sa 13:8 Naizvozvo Tamari wakaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni, iye waiva arere pasi. Zvino wakatora mukanyiwa ndokuukanya, ndokuita makeke pamberi pemeso ake, ndokubika makeke.
  8327. 2Sa 13:9 Zvino wakatora gango ndokudurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni ndokuti: Budisa vanhu vose kwandiri. Zvino vakabuda, munhu wose kubva kwaari.
  8328. 2Sa 13:10 Amunoni ndokuti kuna Tamari: Unza zvekudya mukamuri, kuti ndidye paruoko rwako. Tamari ndokutora makeke aaiva aita ndokuunza mukamuri kuna Amunoni hanzvadzi yake.
  8329. 2Sa 13:11 Wakati aswededza kwaari kuti adye, iye ndokumubata, ndokuti kwaari: Uya urare neni, hanzvadzi yangu.
  8330. 2Sa 13:12 Iye ndokuti kwaari: Kwete, hanzvadzi yangu, usandimanikidza; nokuti zvakadaro hazviitwi kwaIsraeri; usaita upenzi uhu.
  8331. 2Sa 13:13 Neni ndichaisepi chinyadzo changu? Newe uchava seumwe wematununu kwaIsraeri. Zvino ikozvino, taura hako kuna mambo; nokuti haangandinyimi kwauri.
  8332. 2Sa 13:14 Asi haana kuda kuteerera kuinzwi rake, asi wakamukurira simba, wakamumanikidza, ndokurara naye.
  8333. 2Sa 13:15 Zvino Amunoni akamuvenga neruvengo rukuru kwazvo; zvekuti ruvengo rwaakamuvenga narwo rwaiva rukuru pane rudo rwaakamuda narwo. Amunoni ndokuti kwaari: Muka, uende.
  8334. 2Sa 13:16 Iye ndokuti kwaari: Hakuna zvikonzero; kuipa uku kwekundidzinga kukuru kupfuura kumwe kwawaita kwandiri. Asi haana kuda kumuteerera.
  8335. 2Sa 13:17 Zvino wakadana muranda wake waimushandira, ndokuti: Budisira panze uyu ikozvino abve kwandiri ugoisa chihuri pamukova shure kwake.
  8336. 2Sa 13:18 Zvino iye waiva akapfeka nguvo yemavara-mavara, nokuti vakunda vamambo vaiva mhandara vaidzipfeka nguvo. Muranda ndokumubudisa panze, ndokuisa chihuri pamukova shure kwake.
  8337. 2Sa 13:19 Zvino Tamari wakaisa madota mumusoro wake, ndokubvarura nguvo yake yemavara-mavara yaaiva akapfeka, ndokuisa ruoko rwake mumusoro wake, ndokuenda akafamba achichema.
  8338. 2Sa 13:20 Zvino Abhusaromu hanzvadzi yake wakati kwaari: Amunoni hanzvadzi yako wanga anewe here? Naizvozvo, nyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako; usaisa moyo wako pachinhu ichi. Naizvozvo Tamari wakagara ari ega mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
  8339. 2Sa 13:21 Mambo Dhavhidhi wakati anzwa izvi zvinhu zvose, akatsamwa kwazvo.
  8340. 2Sa 13:22 Asi Abhusaromu haana kutaura chakaipa kana chakanaka kuna Amunoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nokuti wakamanikidza hanzvadzi yake Tamari.
  8341. 2Sa 13:23 Zvino zvakaitika shure kwemakore maviri akazara kuti Abhusaromu waiva ane vaveuri vemakwai paBhaari-Hazori riri parutivi paEfuremu; Abhusaromu ndokukoka vanakomana vose vamambo.
  8342. 2Sa 13:24 Abhusaromu ndokuuya kuna mambo, ndokuti: Tarirai ikozvino, muranda wenyu ane vaveuri vemakwai. Regai henyu mambo nevaranda vake vaende nemuranda wenyu.
  8343. 2Sa 13:25 Mambo ndokuti kuna Abhusaromu: Kwete, mwanakomana wangu, rega tirege kuenda tose, zvimwe tive mutoro kwauri. Akamumanikidza, asi haana kutenda kuenda, asi wakamuropafadza.
  8344. 2Sa 13:26 Zvino Abhusaromu wakati: Kana zvisina kudaro, regai henyu Amunoni mukoma wangu aende nesu. Mambo ndokuti kwaari: Anoenderei newe?
  8345. 2Sa 13:27 Asi Abhusaromu wakamumanikidza, iye ndokuendesa Amunoni nevanakomana vose vamambo.
  8346. 2Sa 13:28 Zvino Abhusaromu waiva araira varanda vake achiti: Tarirai henyu, kana moyo waAmunoni wofara newaini, pandichati kwamuri: Rovai Amunoni! Zvino muurayei, musatya; ini handina kukurairai here? Tsungai uye ivai vanakomana veumhare.
  8347. 2Sa 13:29 Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni Abhusaromu sezvaaiva araira. Vanakomana vose vamambo ndokusimuka, umwe neumwe ndokutasva nyurusi rake ndokutiza.
  8348. 2Sa 13:30 Zvino zvakaitika vachiri munzira, kuti shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti: Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, uye hakuna umwe wavo wasara.
  8349. 2Sa 13:31 Zvino mambo wakasimuka, ndokubvarura nguvo dzake, ndokurara pavhu; nevaranda vake vose vakamirapo nguvo dzakabvarurwa.
  8350. 2Sa 13:32 Zvino Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi wakapindura ndokuti: Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, vanakomana vamambo; nokuti Amunoni ega ndiye wafa, nokuti nemuromo waAbhusaromu kwakatemwa kubva pazuva rekumanikidza kwake hanzvadzi yake Tamari.
  8351. 2Sa 13:33 Naizvozvo zvino ishe wangu mambo ngaarege kuisa shoko iri mumoyo make kuti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti ndiAmunoni ega wafa.
  8352. 2Sa 13:34 Abhusaromu ndokutiza. Zvino jaya raiva rakarinda ndokusimudza meso aro, ndokuona, zvino tarira, vanhu vazhinji vaiuya kubva kunzira shure kwaro kurutivi rwegomo.
  8353. 2Sa 13:35 Jonadhabhu ndokuti kuna mambo: Tarirai, vanakomana vamambo vanouya; seshoko remuranda wenyu, zvakadaro.
  8354. 2Sa 13:36 Zvino zvakaitika pakupedza kwake kutaura, kuti tarira, vanakomana vamambo vakasvika, ndokusimudza inzwi ravo, ndokuchema; namambowo nevaranda vake vose vakachema nekuchema kukuru kwazvo.
  8355. 2Sa 13:37 Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi mambo weGeshuri. Dhavhidhi ndokuchema mwanakomana wake mazuva ose.
  8356. 2Sa 13:38 Naizvozvo Abhusaromu wakatiza ndokuenda kuGeshuri; akavako makore matatu.
  8357. 2Sa 13:39 Mweya weupenyu waDhavhidhi mambo ukashuva kubuda kuna Abhusaromu, nokuti waiva anyaradzwa pamusoro paAmunoni, zvaaiva afa.
  8358. 2Sa 14:1 Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya wakaziva kuti moyo wamambo waiva kuna Abhusaromu.
  8359. 2Sa 14:2 Joabhu ndokutuma kuTekowa, ndokutorako mukadzi waiva akangwara, ndokuti kwaari: Uzviite hako semuchemi, uye upfeke hako nguvo yemariro, uye usazvizora mafuta, asi uzviite semukadzi wachema wakafa mazuva mazhinji awa.
  8360. 2Sa 14:3 Zvino uchapinda kuna mambo ugotaura kwaari zvichienderana neshoko iri. Joabhu ndokuisa mashoko mumuromo make.
  8361. 2Sa 14:4 Zvino mukadzi weTekowa wakataura kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, ndokukotama, ndokuti: Ponesai, mambo!
  8362. 2Sa 14:5 Mambo ndokuti kwaari: Unei? Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndiri mukadzi chirikadzi, uye murume wangu wakafa.
  8363. 2Sa 14:6 Zvino murandakadzi wenyu waiva ane vanakomana vaviri. Zvino ivo vaviri vakarwa kusango uye paiva pasina mununuri pakati pavo; umwe ndokurova umwe ndokumuuraya.
  8364. 2Sa 14:7 Zvino tarirai, mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu, ndokuti: Ipa uyo wakarova munin’ina wake, kuti timuuraye nekuda kweupenyu hwemunin’ina wake waakauraya; zvino tichauraya mudyi wenhakawo. Naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, kuti vasasiira murume wangu zita kana wakasara pachiso chenyika.
  8365. 2Sa 14:8 Mambo ndokuti kumukadzi: Enda kumba kwako, uye ini ndicharaira maererano newe.
  8366. 2Sa 14:9 Mukadzi weTekowa ndokuti kuna mambo: Ishe wangu, mambo, mhosva ngaive pamusoro pangu nepamusoro peimba yababa vangu, asi mambo nechigaro cheushe chake ngazvive zvisina mhosva.
  8367. 2Sa 14:10 Mambo ndokuti: Uyo anotaura kwauri, uuye naye kwandiri, uye haangakugunzvizve zvekare.
  8368. 2Sa 14:11 Iye ndokuti: Mambo ngaarangarire hake Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, zvimwe vangaparadza mwanakomana wangu. Iye ndokuti: NaJehovha mupenyu, hakungawiri pasi ruvhudzi rumwe rwemwanakomana wako.
  8369. 2Sa 14:12 Zvino mukadzi wakati: Murandakadzi wenyu ngaataure hake shoko kuna ishe wangu mambo. Iye ndokuti: Taura.
  8370. 2Sa 14:13 Mukadzi ndokuti: Zvino makarangarirei zvakadai pavanhu vaMwari? Mambo paanotaura shoko iri seane mhosva, pakuti mambo haana kudzosa wakadzingwa wake.
  8371. 2Sa 14:14 Nokuti tinofanira kufa, takaita semvura yakateukira pasi, isingaunganidzwi. Asi Mwari haabvisi upenyu, asi anofunga mazano kuti wakadzingwa haangarasiwi kwaari.
  8372. 2Sa 14:15 Naizvozvo ikozvino ndauya kuti ndizotaura shoko iri kuna ishe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu ndokuti: Ndichataura ikozvino kuna mambo; zvimwe mambo achaita shoko remurandakadzi wake.
  8373. 2Sa 14:16 Nokuti mambo achanzwa kununura murandakadzi wake kubva muruoko rwemunhu anoda kuparadza ini pamwe nemwanakomana wangu panhaka yaMwari.
  8374. 2Sa 14:17 Zvino murandakadzi wenyu wakati: Shoko rashe wangu, mambo ngarive rekunyaradza; nokuti semutumwa waMwari, wakadaro ishe wangu, mambo, kuziva zvakanaka nezvakaipa; naizvozvo Jehovha Mwari wenyu ngaave nemwi.
  8375. 2Sa 14:18 Zvino mambo wakapindura ndokuti kumukadzi: Usandivanzira hako shoko randichabvunza kwauri. Mukadzi ndokuti: Ishe wangu, mambo, ngaataure hake.
  8376. 2Sa 14:19 Mambo ndokuti: Ruoko rwaJoabhu rwunewe here pazvose izvi? Mukadzi ndokupindura ndokuti: Neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, ishe wangu mambo, zvirokwazvo hakuna angaenda kurudyi kana kuruboshwe kubva pazvose ishe wangu mambo zvaataura; nokuti muranda wenyu Joabhu, iye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo wemurandakadzi wenyu.
  8377. 2Sa 14:20 Muranda wenyu Joabhu waita chinhu ichi kuti ashandure chimiro chenyaya. Zvino ishe wangu wakachenjera zvinoenderana neuchenjeri hwemutumwa waMwari, kuziva zvose zviri panyika.
  8378. 2Sa 14:21 Mambo ndokuti kuna Joabhu: Tarira hako, ndaita chinhu ichi; naizvozvo enda udzose jaya Abhusaromu.
  8379. 2Sa 14:22 Zvino Joabhu wakawira pasi nechiso chake, ndokukotama, ndokuvonga mambo. Joabhu ndokuti: Nhasi muranda wenyu anoziva kuti ndakawana nyasha pameso enyu, ishe wangu, mambo, pakuti mambo waita shoko remuranda wake.
  8380. 2Sa 14:23 Zvino Joabhu wakasimuka ndokuenda kuGeshuri ndokuunza Abhusaromu muJerusarema.
  8381. 2Sa 14:24 Mambo ndokuti: Ngaatsaukire kumba kwake, uye ngaarege kuona chiso changu. Naizvozvo Abhusaromu wakatsaukira kumba kwake uye haana kuona chiso chamambo.
  8382. 2Sa 14:25 Zvino kwaIsraeri wose kwaiva kusina munhu wairumbidzwa kwazvo pakunaka saAbhusaromu. Paiva pasina gwapa paari kubva pachitsiko chetsoka yake kusvika kunhongonya yake.
  8383. 2Sa 14:26 Zvino paaigera musoro wake-nokuti zvaiitika pakupera kwegore rimwe nerimwe kuti waigera, nokuti vhudzi raimuremera, naizvozvo wairigera-waiyerawo vhudzi remusoro wake, mashekeri mazana maviri pachiyero chamambo.
  8384. 2Sa 14:27 Zvino kwakaberekerwa Abhusaromu vanakomana vatatu, nemwanasikana umwe, uye zita rake raiva Tamari; iye waiva mukadzi waiva akanaka pakuonekwa.
  8385. 2Sa 14:28 Naizvozvo Abhusaromu wakagara makore maviri azere paJerusarema, asi haana kuona chiso chamambo.
  8386. 2Sa 14:29 Abhusaromu ndokutuma shoko kuna Joabhu, kuti amutume kuna mambo; asi haana kuda kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri; asi haana kuda kuuya.
  8387. 2Sa 14:30 Zvino wakati kuvaranda vake: Onai, dunhu raJoabhu riri pedo nerangu, uye ane bhari ikoko; endai munoripisa nemoto. Varanda vaAbhusaromu ndokupisa dunhu nemoto.
  8388. 2Sa 14:31 Joabhu ndokusimuka ndokuenda kuna Abhusaromu kumba, ndokuti kwaari: Varanda vako vapisirei dunhu riri rangu nemoto?
  8389. 2Sa 14:32 Abhusaromu ndokuti kuna Joabhu: Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti: Uya pano ndikutume kuna mambo kuti: Ndakabvirei Geshuri? Zvaiva zviri nani dai ndichingovako; naizvozvo ikozvino, rega ndione chiso chamambo; uye kana kune mhosva kwandiri, ngaandiuraye.
  8390. 2Sa 14:33 Naizvozvo Joabhu wakauya kuna mambo ndokumuudza. Wakati adana Abhusaromu, wakauya kuna mambo, ndokumukotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo; mambo ndokutsvoda Abhusaromu.
  8391. 2Sa 15:1 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Abhusaromu wakazvigadzirira ngoro nemabhiza nevarume makumi mashanu vachimhanya mberi kwake.
  8392. 2Sa 15:2 Abhusaromu ndokumuka mangwanani, ndokumira parutivi rwenzira yesuwo; zvino zvakaitika, kana munhu upi neupi akava nemhosva yemurairo waiuya kuna mambo kuzotongwa, ipapo Abhusaromu waimudana ndokuti: Uri weguta ripi? Kana akati: Muranda wenyu ndewerimwe rwemarudzi aIsraeri;
  8393. 2Sa 15:3 zvino Abhusaromu waiti kwaari: Ona, nyaya yako yakanaka uye yakarurama, asi kuna mambo hakuna munhu achakunzwa.
  8394. 2Sa 15:4 Abhusaromu waitiwo: Dai ndaiva ndaiswa kuva mutongi panyika, kuti ani nani ane mhosva yemurairo kana nyaya auye kwandiri, zvino ndaimururamisira.
  8395. 2Sa 15:5 Zvino zvakaitika paiswedera munhu kumukotamira, kuti waitandavadza ruoko rwake, ndokumubata, ndokumutsvoda.
  8396. 2Sa 15:6 Zvino Abhusaromu waiita nenzira iyi kuna Israeri wose waiuya kuna mambo kuzotongwa; naizvozvo Abhusaromu wakatapa moyo yevarume vekwaIsraeri.
  8397. 2Sa 15:7 Zvino zvakaitika shure kwemakore makumi mana, kuti Abhusaromu wakati kuna mambo: Nditenderei henyu ndiende ndindoripira mhiko yangu yandakapikira Jehovha kuHebhuroni.
  8398. 2Sa 15:8 Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko pandaiva ndichigere paGeshuri muSiriya, ndichiti: Kana Jehovha akandidzosera zvekundidzosera kuJerusarema, zvino ndichashumira Jehovha.
  8399. 2Sa 15:9 Mambo ndokuti kwaari: Enda nerugare. Zvino wakasimuka ndokuenda kuHebhuroni.
  8400. 2Sa 15:10 Asi Abhusaromu wakatuma vashori mumarudzi ose aIsraeri achiti: Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, ipapo muchati: Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.
  8401. 2Sa 15:11 Zvino kwakaenda pamwe naAbhusaromu varume mazana maviri kubva muJerusarema, vakakokwa; ivo ndokuenda muchokwadi chavo uye vasingazivi chinhu chipi nechipi.
  8402. 2Sa 15:12 Abhusaromu ndokutuma nhume kunodana Ahitoferi muGironi gurukota raDhavhidhi kubva kuguta rake kubva muGiro, paaibaira zvibairo. Bangano ndokusimba, uye vanhu vakaenda ndokuwanda kuna Abhusaromu.
  8403. 2Sa 15:13 Zvino kwakasvika nhume kuna Dhavhidhi ichiti: Moyo wevanhu vekwaIsraeri unotevera Abhusaromu.
  8404. 2Sa 15:14 Zvino Dhavhidhi wakati kuvaranda vake vose vaiva naye paJerusarema: Simukai, uye ngatitize, nokuti hatina mapukunyukiro pachiso chaAbhusaromu; kurumidzai kuenda, zvimwe angakurumidza akatiwana ndokutiitira zvakaipa, nekurova guta nekwakapinza kwemunondo.
  8405. 2Sa 15:15 Varanda vamambo ndokuti kuna mambo: Sezvose ishe wangu, mambo, zvaanosarudza, tarirai, varanda venyu vanoita.
  8406. 2Sa 15:16 Zvino mambo wakabuda, neimba yake yose iri patsoka dzake. Mambo ndokusiya vakadzi gumi varongo kuti vachengete imba.
  8407. 2Sa 15:17 Zvino mambo wakabuda, nevanhu vose vari patsoka dzake, ndokumira panzvimbo iri chinhambwe.
  8408. 2Sa 15:18 Zvino varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, nevaKereti vose, nevaPereti vose, nevaGiti vose, varume mazana matanhatu vaiva vamutevera vachibva kuGati, vakapfuura pamberi pamambo.
  8409. 2Sa 15:19 Mambo ndokuti kuna Itai muGiti: Newe unoenderei nesu? Dzokera ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa uyewo uri mudzingwa kunzvimbo yako.
  8410. 2Sa 15:20 Wakasvika zuro, zvino nhasi ndingakufambisa-fambisa nekuenda nesu, sezvandinoenda kwandinoenda? Dzokera udzosewo hama yako; nyasha nechokwadi ngazvive newe.
  8411. 2Sa 15:21 Zvino Itai wakapindura mambo ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nashe wangu mambo mupenyu, zvirokwazvo panzvimbo iyo ishe wangu mambo pangava parufu kana paupenyu, muranda wenyu achava ipapowo.
  8412. 2Sa 15:22 Dhavhidhi ndokuti kuna Itai: Enda uyambuke. Itai muGiti ndokuyambuka, nevanhu vake vose, nevanana vose vaiva naye.
  8413. 2Sa 15:23 Nyika yose ndokuchema nenzwi guru, uye vanhu vose vakayambuka; namambo wakayambuka rukova Kidhoroni, nevanhu vose vakayambuka nechekunzira yerenje.
  8414. 2Sa 15:24 Zvino tarira, naZadhoki nevaRevhi vose vanaye vakatakura areka yesungano yaMwari; vakaisa areka yaMwari pasi, Abhiatari ndokukwira, kusvika vanhu vose vapera kupfuura vachibva muguta.
  8415. 2Sa 15:25 Mambo ndokuti kuna Zadhoki: Dzoserai areka yaMwari muguta; kana ndikawana nyasha pameso aJehovha, achandidzosazve agondionesa iyo nenzvimbo yake yekugara.
  8416. 2Sa 15:26 Asi kana achireva seizvi: Handifari newe; tarirai, ndiri pano, ngaandiitire sezvakanaka pameso ake.
  8417. 2Sa 15:27 Mambo ndokuti kuna Zadhoki mupristi: Uri muoni here? Dzokera muguta nerugare, naAhimaazi mwanakomana wako, naJonatani mwanakomana waAbhiatari, vanakomana venyu vaviri pamwe nemwi.
  8418. 2Sa 15:28 Ona, ndicharinda pamazambuko erenje, kusvika kwasvika shoko kubva kwamuri kundiudza.
  8419. 2Sa 15:29 Naizvozvo Zadhoki naAbhiatari vakadzosera areka yaMwari Jerusarema; ivo vakagarapo.
  8420. 2Sa 15:30 Dhavhidhi ndokukwira nekumukwidza weMiorivhi, ndokuchema paaikwira, uye wakafukidza musoro wake, ndokufamba asina shangu; nevanhu vose vaiva naye vakafukidza umwe neumwe musoro wake, ndokukwira, vachikwira vachichema.
  8421. 2Sa 15:31 Zvino kwakaudzwa Dhavhidhi zvichinzi: Ahitoferi ari pakati pebangano naAbhusaromu. Dhavhidhi ndokuti: Jehovha, itai henyu zano raAhitoferi rive upenzi.
  8422. 2Sa 15:32 Zvino zvakaitika kuti Dhavhidhi wakasvika pamusoro paainamata Mwari; uye tarira, Hushai muAriki wakasangana naye, nguvo refu yake yakabvarurwa, nevhu riri mumusoro wake.
  8423. 2Sa 15:33 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Kana wopfuura neni, uchava mutoro kwandiri.
  8424. 2Sa 15:34 Asi kana ukadzokera kuguta, ukanoti kuna Abhusaromu: Ndichava muranda wenyu, mambo; ini ndaiva muranda wababa venyu ipapo, ikozvinowo ini ndichava muranda wenyu; ipapo uchandiparadzira zano raAhitoferi.
  8425. 2Sa 15:35 Uye havako here pamwe newe ipapo Zadhoki naAbhiatari vapristi? Naizvozvo kuchati nyaya yose yauchanzwa mumba mamambo, uchaiudza Zadhoki naAbhiatari vapristi.
  8426. 2Sa 15:36 Tarira, varipo ipapo pamwe navo vanakomana vavo vaviri, Ahimaazi waZadhoki, naJonatani waAbhiatari. Zvino uchatumira neruoko rwavo kwandiri chinhu chose chauchanzwa.
  8427. 2Sa 15:37 Zvino Hushai shamwari yaDhavhidhi wakasvika kuguta; Abhusaromu ndokupinda muJerusarema.
  8428. 2Sa 16:1 Dhavhidhi paaiva apfuura zvishoma panhongonya [yegomo], tarira, Zibha muranda waMefibhosheti wakamuchingamidza, ane mbongoro mbiri dzine zvigaro, uye pamusoro padzo pane zvingwa mazana maviri, nemasumbu emazambiringa akaomeswa zana, nemichero yezhezha zana, nehomwe yewaini.
  8429. 2Sa 16:2 Mambo ndokuti kuna Zibha: Unotii neizvi? Zibha ndokuti: Mbongoro ndedzeimba yamambo kuti vatasve, nezvingwa nemichero yezhezha ndezvemajaya kuti adye, newaini ndeyevanopererwa nesimba murenje kuti vanwe.
  8430. 2Sa 16:3 Mambo ndokuti: Zvino mwanakomana washe wako aripi? Zibha ndokuti kuna mambo: Tarirai, agere paJerusarema, nokuti wakati: Nhasi imba yaIsraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.
  8431. 2Sa 16:4 Mambo ndokuti kuna Zibha: Tarira, zvose zviri zvaMefibhosheti ndezvako. Zibha ndokuti: Ndinokotama; ndiwane nyasha pameso enyu, ishe wangu, mambo.
  8432. 2Sa 16:5 Mambo Dhavhidhi paakasvika paBhahurimu, tarira, kwakabudako munhu wemhuri yeimba yaSauro, zita rake raiva Shimei, mwanakomana waGera, akabuda akafamba achituka.
  8433. 2Sa 16:6 Uye wakaposhera Dhavhidhi nemabwe pamwe nevaranda vose vamambo Dhavhidhi; nevanhu vose nevarume vose vesimba vaiva kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.
  8434. 2Sa 16:7 Shimei ndokutaura seizvi pakutuka kwake: Buda, buda, iwe munhu weropa, uye munhu waBheriari.
  8435. 2Sa 16:8 Jehovha wadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakatonga pachinzvimbo chake. Uye Jehovha wapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; zvino tarira, wava mune zvakaipa zvako, nokuti uri munhu weropa.
  8436. 2Sa 16:9 Zvino Abhishai mwanakomana waZeruya wakati kuna mambo: Imbwa iyi yakafa inotukirei ishe wangu, mambo? Regai henyu ndiyambukire mhiri, ndibvise musoro wayo.
  8437. 2Sa 16:10 Mambo ndokuti: Ndinei nemwi, imwi vana vaZeruya; naizvozvo ngaatuke, nokuti Jehovha wakati kwaari: Tuka Dhavhidhi; ndiani angati: Waitirei saizvozvo?
  8438. 2Sa 16:11 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhishai nekuvaranda vake vese: Tarira, mwanakomana wangu wakabuda muura hwangu anotsvaka upenyu hwangu; zvikuru sei ikozvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke, nokuti Jehovha wakataura kwaari.
  8439. 2Sa 16:12 Zvimwe Jehovha achaona kutambudzwa kwangu, uye Jehovha andidzosera zvakanaka pachinzvimbo chekutuka kwake nhasi.
  8440. 2Sa 16:13 Dhavhidhi nevanhu vake ndokufamba nenzira, Shimei ndokuenda nerutivi rwegomo pakatarisana naye, ndokuenda achituka nekumuposhera nemabwe, nekupfumbura neguruva.
  8441. 2Sa 16:14 Mambo nevanhu vose vaiva naye ndokusvika vaneta, ndokuzvimutsurudzapo.
  8442. 2Sa 16:15 Zvino Abhusaromu nevanhu vose, varume vaIsraeri, ndokusvika kuJerusarema, naAhitoferi anaye.
  8443. 2Sa 16:16 Zvino zvakaitika, Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi payakasvika kuna Abhusaromu, Hushai ndokuti kuna Abhusaromu: Mambo ngaararame, mambo ngaararame!
  8444. 2Sa 16:17 Zvino Abhusaromu wakati kuna Hushai: Ndidzo nyasha dzako kushamwari yako here? Wakaregerei kuenda neshamwari yako?
  8445. 2Sa 16:18 Hushai ndokuti kuna Abhusaromu: Kwete, asi uyo Jehovha waanosarudza, uye vanhu ava, uye varume vose vekwaIsraeri, ndichava wake, uye ndichagara naye.
  8446. 2Sa 16:19 Zvino kechipiri, ini ndichashumira ani? Kusava pamberi pechiso chemwanakomana wake here? Sezvo ndakashumira pamberi pababa venyu, saizvozvo ndichava pamberi penyu.
  8447. 2Sa 16:20 Abhusaromu ndokuti kuna Ahitoferi: Ipai zano renyu kuti tichaitei?
  8448. 2Sa 16:21 Ahitoferi ndokuti kuna Abhusaromu: Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya kuchengeta imba. Zvino Israeri wose achanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko evose vamunavo achasimba.
  8449. 2Sa 16:22 Naizvozvo vakatatamurira Abhusaromu tende pamusoro peimba; Abhusaromu ndokupinda kuvarongo vababa vake pamberi pemeso aIsraeri wose.
  8450. 2Sa 16:23 Zvino zano raAhitoferi raakaraira mumazuva iwawo raiva rakaita semunhu anobvunza shoko raMwari; raiva rakadaro zano rose raAhitoferi zvose kuna Dhavhidhi nekuna Abhusaromu.
  8451. 2Sa 17:1 Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu: Regai henyu ndisarudze varume zvuru gumi nezviviri, ndigosimuka ndidzingirire shure kwaDhavhidhi usiku huno.
  8452. 2Sa 17:2 Zvino ndichamusvikira, achakaneta uye asina simba mumaoko, uye ndichamuvhundusa, nevanhu vose vaanavo vachatiza; uye ndicharova mambo ega.
  8453. 2Sa 17:3 Zvino ndichadzosa vanhu vose kwamuri; munhu wamunotsvaka wakafanana nekudzoka kwavo vese; vanhu vose vachava murugare.
  8454. 2Sa 17:4 Shoko iri rikava rakarurama pameso aAbhusaromu nepameso evakuru vose vaIsraeri.
  8455. 2Sa 17:5 Abhusaromu ndokuti: Danaiwo henyu Hushai muAriki tigonzwa iyewo zviri mumuromo make.
  8456. 2Sa 17:6 Hushai paakasvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu wakataura naye achiti: Ahitoferi wataura nenzira iyi; tichaita shoko rake here? Kana zvisi izvo, taura iwe.
  8457. 2Sa 17:7 Hushai ndokuti kuna Abhusaromu: Zano Ahitoferi raapanga harina kunaka panguva ino.
  8458. 2Sa 17:8 Uye Hushai wakati: Imwi munoziva baba venyu nevanhu vavo kuti magamba, uye vanovava pamoyo, sebheya ratorerwa mbwanana dzaro musango; uye baba venyu munhu wehondo, uye havangapedzi usiku nevanhu.
  8459. 2Sa 17:9 Tarirai, ikozvino iye wakavanda pane rimwe remakomba kana kune imwe yenzvimbo; zvino zvichaitika, vamwe vavo pavachawa pakutanga, kuti ani nani anonzwa achati: Kwanga kune kuurawa pakati pevanhu vanotevera Abhusaromu.
  8460. 2Sa 17:10 Zvino kunyange iye ane umhare ine moyo semoyo weshumba ichanyunguduka kwazvo; nokuti Israeri wose anoziva kuti baba venyu igamba, uye vaanavo vana veumhare.
  8461. 2Sa 17:11 Naizvozvo ndapanga kuti Israeri wose aungane zvekuungana kwamuri, kubva paDhani kusvikawo paBheeri-Shebha, sejecha riri pagungwa pakuwanda; uye imwi pachenyu muende kuhondo.
  8462. 2Sa 17:12 Naizvozvo tichamusvikira pane imwe yenzvimbo paangawanikwa, tigova pamusoro pake sedova rinowira pavhu; uye hakungasari kunyange umwe kwaari uye kuvanhu vose vaanavo.
  8463. 2Sa 17:13 Uye kana iye achiungana muguta, zvino Israeri wose achauya nemagodha kuguta iro, tigorikwevera murwizi, kusvika pasingawanikwi kunyange ibwe dikipo.
  8464. 2Sa 17:14 Zvino Abhusaromu nevarume vose vaIsraeri vakati: Zano raHushai muAriki riri nani pazano raAhitoferi. Nokuti Jehovha waiva araira kuvhuna zano rakanaka raAhitoferi, nechinangwa chekuti Jehovha auisire Abhusaromu chakaipa.
  8465. 2Sa 17:15 Zvino Hushai wakati kuna Zadhoki nekuna Abhiatari vapristi: Ahitoferi wakapanga Abhusaromu nevakuru vaIsraeri seizvi uye seizvi, asi ini ndapanga seizvi uye seizvi.
  8466. 2Sa 17:16 Naizvozvo zvino, tumai nekukurumidza muudze Dhavhidhi muti: Musarara pamapani erenje usiku huno, asi kurumidzai muyambuke zvimwe mambo angamedzwa, nevanhu vose vanaye.
  8467. 2Sa 17:17 Zvino Jonatani naAhimazi vaiva vakamira paEni-Rogeri; murandakadzi ndokuenda ndokuvaudza; ivo ndokuenda ndokuudza mambo Dhavhidhi; nokuti vaiva vasingagoni kuonekwa vachipinda muguta.
  8468. 2Sa 17:18 Zvakadaro mukomana wakavaona, ndokuudza Abhusaromu; asi vakaenda nekukurumidza vari vaviri, ndokusvika paimba yemunhu paBhahurimu; waiva ane tsime pachivanze chake, mavakaburukira.
  8469. 2Sa 17:19 Mukadzi akatora ndokuwarira chifukudzo pamusoro pemuromo wetsime, ndokunika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; naizvozvo chinhu hachina kuzikanwa.
  8470. 2Sa 17:20 Varanda vaAbhusaromu pavakasvika kumukadzi paimba vakati: Ahimaazi naJonatani varipi? Mukadzi ndokuti kwavari: Vayambuka rukova rwemvura. Vakati vatsvaka vakasawana, vakadzokera kuJerusarema.
  8471. 2Sa 17:21 Zvino zvakaitika vaenda kuti vakakwira kubva mutsime ndokuenda ndokuudza mambo Dhavhidhi ndokuti kuna Dhavhidhi: Simukai mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapanga saizvozvo kurwisana nemwi.
  8472. 2Sa 17:22 Dhavhidhi ndokusimuka, nevanhu vose vaiva naye. Zvino vakayambuka Joridhani; kusvika kwava pakuchena kwekuedza kwaiva kusina kusara kana umwe waiva asina kuyambuka Joridhani.
  8473. 2Sa 17:23 Ahitoferi wakati aona kuti zano rake harina kuitwa, wakasungira chigaro pambongoro, ndokusimuka, ndokuenda kumba kwake kuguta rake. Zvino wakaraira veimba yake, ndokuzviremberedza ndokufa, ndokuvigwa muguva rababa vake.
  8474. 2Sa 17:24 Zvino Dhavhidhi wakasvika paMahanayimu. Abhusaromu ndokuyambuka Joridhani, iye nevarume vose vaIsraeri vaiva naye.
  8475. 2Sa 17:25 Abhusaromu ndokuisa Amasa pamusoro pehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa waiva mwanakomana wemunhu wezita rake raiva Jitira muIsraeri, uyo waiva apinda kuna Abhigairi mukunda waNahashi munin’ina waZeruya mai vaJoabhu.
  8476. 2Sa 17:26 Zvino Israeri naAbhusaromu vakavaka musasa panyika yeGiriyadhi.
  8477. 2Sa 17:27 Zvino zvakaitika Dhavhidhi paakasvika paMahanayimu, kuti Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha wevana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,
  8478. 2Sa 17:28 vakaunza mhasa, nemadhishi, nemidziyo yevhu, negorosi, nebhari, neupfu, nezvakakangwa, nenyemba, nenyemba diki, nezvimwe zvakakangwa,
  8479. 2Sa 17:29 neuchi, neruomba, nemakwai, nemagede emukaka wemombe, zvaDhavhidhi nezvevanhu vaiva naye kuti vadye; nokuti vakati: Vanhu vane nzara uye vaneta uye vane nyota murenje.
  8480. 2Sa 18:1 Zvino Dhavhidhi wakaverenga vanhu vaiva naye, ndokuisa pamusoro pavo vakuru vezvuru nevakuru vemazana.
  8481. 2Sa 18:2 Dhavhidhi ndokutuma chetatu chevanhu pasi peruoko rwaJoabhu, uye chetatu pasi peruoko rwaAbhishai mwanakomana waZeruya munin’ina waJoabhu, uye chetatu pasi peruoko rwaItai muGiti. Mambo ndokuti kuvanhu: Iniwo ndichabuda zvekubuda pamwe nemwi.
  8482. 2Sa 18:3 Asi vanhu vakati: Hamungabudi. Nokuti kana tikatiza zvekutiza, havaisi moyo kwatiri, kunyange kukafa hafu yedu, havangaisi moyo kwatiri; asi imwi makaita sezvuru gumi zvedu; naizvozvo zviri nani kuti muve rubatsiro rwedu muri muguta.
  8483. 2Sa 18:4 Mambo ndokuti kwavari: Icho chakanaka pameso enyu ndichachiita. Mambo ndokumira parutivi rwesuwo, vanhu vose ndokubuda vachiita mazana-mazana nezvuru-zvuru.
  8484. 2Sa 18:5 Zvino mambo wakaraira Joabhu naAbhishai naItai, achiti: Mubate zvakanaka jaya Abhusaromu nekuda kwangu. Vanhu vose ndokunzwa mambo paakaraira vakuru vose pamusoro penyaya yaAbhusaromu.
  8485. 2Sa 18:6 Zvino vanhu vakabudira kusango kurwisa Israeri. Zvino hondo yaiva mudondo rekwaEfuremu.
  8486. 2Sa 18:7 Vanhu vaIsraeri ndokurohwa ipapo pamberi pevaranda vaDhavhidhi; ndokuvapo nekuuraya kukuru nezuva iro, zvuru makumi maviri.
  8487. 2Sa 18:8 Nokuti hondo yaivapo yakapararira pachiso chenyika yose. Dondo ndokuparadza vanhu vazhinji kupfuura avo munondo wawakaparadza nezuva iro.
  8488. 2Sa 18:9 Zvino Abhusaromu ndokuita mahwekwe nevaranda vaDhavhidhi. Uye Abhusaromu waiva akatasva nyurusi; nyurusi parakasvika nepasi pematavi makobvu emuoki mukuru, musoro wake ndokubatira pamuoki, iye ndokurembera pakati pematenga nepasi; nyurusi raiva pasi pake ndokupfuurira.
  8489. 2Sa 18:10 Zvino umwe murume wakaona ndokuudza Joabhu, ndokuti: Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.
  8490. 2Sa 18:11 Joabhu ndokuti kumunhu wakamuudza: Tarira, waona, zvino waregerei kumurovera pasi ipapo? Uye ndingadai ndakupa masirivha gumi nebhanhire rimwe.
  8491. 2Sa 18:12 Murume ndokuti kuna Joabhu: Kunyange ndikaera masirivha churu muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo; nokuti munzeve dzedu mambo wakaraira imwi naAbhishai naItai, achiti: Chenjerai, ani nani asabata jaya Abhusaromu.
  8492. 2Sa 18:13 Zvimwe ndingadai ndaita unyengeri neupenyu hwangu, nokuti hakuna chinhu chakavanzirwa mambo, nemwi mungazvimisa kurwisana neni.
  8493. 2Sa 18:14 Joabhu ndokuti: Handinganonoki kudai newe. Zvino wakatora mapfumo matatu muruoko rwake ndokuabaya nepamoyo waAbhusaromu achiri mupenyu mukati memuoki.
  8494. 2Sa 18:15 Zvino majaya gumi aitakura zvombo zvaJoabhu akamukomba ndokurova Abhusaromu ndokumuuraya.
  8495. 2Sa 18:16 Zvino Joabhu wakaridza hwamanda, vanhu ndokudzoka pakudzingirira shure kwaIsraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
  8496. 2Sa 18:17 Zvino vakatora Abhusaromu ndokumukanda mugomba guru mudondo, ndokuisa pamusoro pake murwi mukuru kwazvo wemabwe. Israeri wose ndokutiza, umwe neumwe kutende rake.
  8497. 2Sa 18:18 Zvino Abhusaromu muupenyu hwake waiva atora ndokuzvimisira shongwe iri pamupata wamambo, nokuti wakati: Handina mwanakomana kuchengeta zita rangu pachirangaridzo. Ndokutumidza shongwe iyo zvichienderana nezita rake, rikanzi, chirangaridzo chaAbhusaromu, kusvika nhasi.
  8498. 2Sa 18:19 Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki wakati: Regai ndimhanye ikozvino ndigonoudza mambo kuti Jehovha wakamutsivira paruoko rwevavengi vake.
  8499. 2Sa 18:20 Joabhu ndokuti kwaari: Haungavi muturi wemashoko nhasi, asi uchatura mashoko nerimwe zuva; asi nhasi haungaturi mashoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa.
  8500. 2Sa 18:21 Zvino Joabhu wakati kumuItiyopiya: Enda unoudza mambo zvawaona. MuItiyopiya akakotamira Joabhu, ndokumhanya.
  8501. 2Sa 18:22 Ahimaazi mwanakomana waZadhoki ndokutizve zvekare kuna Joabhu: Kunyange zvakadaro, regai henyu ndimhanye neni nditevere muItiyopiya. Joabhu ndokuti: Uchamhanyirei, mwana wangu, zvausina mashoko aungatura?
  8502. 2Sa 18:23 Iye akati: Kunyange zvakadaro, regai ndimhanye. Iye ndokuti kwaari: Mhanya. Ahimaazi ndokumhanya nenzira yebani, ndokupfuura muItiyopiya.
  8503. 2Sa 18:24 Zvino Dhavhidhi wakagara pakati pemasuwo maviri; nharirire ndokuenda kudenga resuwo parusvingo, ndokusimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira, munhu anomhanya ari ega.
  8504. 2Sa 18:25 Nharirire ndokudanidzira, ndokuudza mambo. Mambo ndokuti: Kana ari ega, ane mashoko mumuromo make. Iye ndokuenda ndokuuya achiswedera.
  8505. 2Sa 18:26 Nharirire ndokuona umwe munhu achimhanya; nharirire ndokudanidzira kumurindi wesuwo, ndokuti: Tarira, umwe munhu anomhanya ari ega. Mambo ndokuti: Naiye unouya nemashoko.
  8506. 2Sa 18:27 Nharirire ndokuti: Ini ndinoona kumhanya kwewekutanga kwakaita sekumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki. Mambo ndokuti: Iye munhu wakanaka, anouya nemashoko akanaka.
  8507. 2Sa 18:28 Ahimaazi ndokudanidzira ndokuti kuna mambo: Rugare! Ndokukotamira mambo nechiso chake pasi, ndokuti: Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, iye wakapa vanhu vakasimudzira ruoko rwavo kurwisa ishe wangu mambo.
  8508. 2Sa 18:29 Mambo ndokuti: Kwakanaka here pajaya, pana Abhusaromu? Ahimaazi ndokuti: Ndakaona nyonga-nyonga huru Joabhu paakatuma muranda wamambo nemuranda wenyu, asi handina kuziva kuti chii.
  8509. 2Sa 18:30 Mambo ndokuti: Tsaukira kurutivi, uzvimise ipapo. Zvino wakatsaukira kurutivi ndokumira.
  8510. 2Sa 18:31 Zvino tarira, muItiyopiya wakasvika. MuItiyopiya ndokuti: Gamuchirai mashoko, ishe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivirai nhasi muruoko rweavo vose vanokumukirai.
  8511. 2Sa 18:32 Mambo ndokuti kumuItiyopiya: Kwakanaka here pajaya, pana Abhusaromu? MuItiyopiya ndokuti: Vavengi vashe wangu mambo, nevose vanokumukirai zvakaipa, ngavave sejaya iro.
  8512. 2Sa 18:33 Mambo ndokushungurudzika zvikuru, ndokukwira kukamuri yaiva pamusoro pesuwo, ndokuchema misodzi; achifamba wakataura seizvi: Mwanakomana wangu Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Kungadai kwafa ini pachinzvimbo chako, Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!
  8513. 2Sa 19:1 Zvino kwakaudzwa Joabhu: Tarira, mambo anochema nekuungudzira Abhusaromu.
  8514. 2Sa 19:2 Zvino ruponeso pazuva iro rwakava kuchema kuvanhu vose, nokuti vanhu vakanzwa nezuva iro zvichinzi: Mambo anorwadzirwa mwanakomana wake.
  8515. 2Sa 19:3 Zvino vanhu vakapinda vachiverevedza muguta nezuva iro sevanhu vanoverevedza vane nyadzi vachitiza kuhondo.
  8516. 2Sa 19:4 Asi mambo wakafukidza chiso chake; mambo ndokuchema nenzwi guru achiti: Mwanakomana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!
  8517. 2Sa 19:5 Zvino Joabhu wakapinda mumba kuna mambo, ndokuti: Manyadzisa nhasi zviso zvevaranda venyu vose vaponesa upenyu hwenyu nhasi, neupenyu hwevanakomana venyu nevanasikana venyu, neupenyu hwevakadzi venyu, neupenyu hwevarongo venyu;
  8518. 2Sa 19:6 pakuda vavengi venyu nekuvenga vanokudai. Nokuti mazivisa nhasi kuti machinda nevaranda havasi chinhu kwamuri. Nokuti ndaziva nhasi kuti dai Abhusaromu aiva ari mupenyu, uye isu tose takafa nhasi, kuti ipapo zvingadai zvakanaka pameso enyu.
  8519. 2Sa 19:7 Naizvozvo ikozvino, simukai budai munotaura kumoyo yevaranda venyu; nokuti ndinopika naJehovha, kana mukasabuda, zvirokwazvo hakuna munhu achagara nemwi usiku huno. Zvino izvi zvichava zvakaipa kwamuri kupfuura zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva paudiki hwenyu kusvika ikozvino.
  8520. 2Sa 19:8 Zvino mambo wakasimuka ndokugara pasuwo. Zvino vakaudza vanhu vose, vachiti: Tarirai, mambo agere pasuwo. Vanhu vose ndokuuya pamberi pamambo. Zvino Israeri waiva atiza, umwe neumwe kuenda kumatende ake.
  8521. 2Sa 19:9 Zvino vanhu vose vaiva vachipikisana kumarudzi ose aIsraeri, vachiti: Mambo wakatiponesa paruoko rwevavengi vedu; uye iye wakatinunura paruoko rwevaFirisitia; zvino ikozvino watiza kubva panyika nekuda kwaAbhusaromu.
  8522. 2Sa 19:10 Asi Abhusaromu watakazodza pamusoro pedu wafira muhondo. Zvino ikozvino munonyararirei pakudzosa mambo?
  8523. 2Sa 19:11 Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki nekuna Abhiatari vapristi achiti: Taurai kuvakuru vaJudha, muti: Sei muri vekupedzisira kudzosa mambo kumba kwake? Nokuti nhaurwa yaIsraeri yose yakasvika kuna mambo kumba kwake.
  8524. 2Sa 19:12 Muri hama dzangu, muri pfupa rangu nenyama yangu; naizvozvo sei muri vekupedzisira kudzosa mambo?
  8525. 2Sa 19:13 Zvino muti kuna Amasa: Iwe hausi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri, ngaawedzere saizvozvo, kana iwe usingazovi mukuru wehondo pamberi pangu mazuva ose pachinzvimbo chaJoabhu.
  8526. 2Sa 19:14 Zvino wakadzoredzera moyo yevanhu vose vaJudha semunhu umwe; ivo ndokutuma nhume kuna mambo vachiti: Dzokai imwi nevaranda venyu vose.
  8527. 2Sa 19:15 Mambo ndokudzoka ndokusvika paJoridhani; Judha ndokusvika paGirigari kuenda kuchingamidza mambo, kuyambusa mambo Joridhani.
  8528. 2Sa 19:16 Zvino Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini, waiva weBhahurimu, wakakurumidza ndokuburuka nevarume vaJudha kuchingamidza mambo Dhavhidhi.
  8529. 2Sa 19:17 Nevanhu churu vekwaBhenjamini vaiva naye, naZibha muranda weimba yaSauro, nevanakomana vake gumi nevashanu, nevaranda vake makumi maviri vaiva naye; ndokukurumidza kuJoridhani pamberi pamambo.
  8530. 2Sa 19:18 Zvino kwakayambuka igwa kunoyambusa imba yamambo, nekuita izvo zvakanaka pameso ake. Zvino Shimei mwanakomana waGera wakawira pasi pamberi pamambo pakuyambuka kwake Joridhani.
  8531. 2Sa 19:19 Ndokuti kuna mambo: Ishe wangu ngaarege kuverengera kuipa kwandiri, kana kurangarira izvo muranda wenyu zvaakaita pakutsauka, nezuva iro ishe wangu mambo raakabuda muJerusarema, kuti mambo azviise mumoyo make.
  8532. 2Sa 19:20 Nokuti muranda wenyu anoziva kuti ini ndakatadza; zvino tarirai, ndasvika nhasi ndiri wekutanga weimba yose yaJosefa kuburuka kuzochingamidza ishe wangu mambo.
  8533. 2Sa 19:21 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakapindura ndokuti: Shimei haangaurawi here nekuda kweichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?
  8534. 2Sa 19:22 Dhavhidhi ndokuti: Ndinei nemwi, vanakomana vaZeruya, kuti muve mudzivisi kwandiri nhasi. Kuchaurawa munhu kwaIsraeri nhasi here? Nokuti handizivi here kuti nhasi ndiri mambo pamusoro paIsraeri?
  8535. 2Sa 19:23 Mambo ndokuti kuna Shimei: Haungafi. Mambo ndokupika kwaari.
  8536. 2Sa 19:24 Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuchingamidza mambo; asi waiva asina kugadzirira tsoka dzake, kana kugadzirira ndebvu dzake dzekumusoro, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva mambo raakaenda kusvika zuva raakadzoka naro nerugare.
  8537. 2Sa 19:25 Zvino zvakaitika paakasvika kuJerusarema kuchingamidza mambo, kuti mambo wakati kwaari: Wakaregerei kuenda neni, Mefibhosheti?
  8538. 2Sa 19:26 Iye ndokuti: Ishe wangu, mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati: Ndichazviisira chigaro pambongoro kuti ndiitasve, ndigoenda namambo, nokuti muranda wenyu wakaremara.
  8539. 2Sa 19:27 Uye akanochera muranda wenyu kuna ishe wangu, mambo; asi ishe wangu mambo wakaita semutumwa waMwari; naizvozvo itai zvakanaka pameso enyu.
  8540. 2Sa 19:28 Nokuti imba yose yababa vangu dai isiri chinhu kunze kwekuva varume verufu pamberi pashe wangu mambo; asi makaisa muranda wenyu pakati pevaidya patafura yenyu. Zvino ndichine kodzeroi kuti ndichemezve kuna mambo?
  8541. 2Sa 19:29 Mambo ndokuti kwaari: Ucharamba uchitaurirei nyaya dzako? Ndinoti: Iwe naZibha govanai munda.
  8542. 2Sa 19:30 Mefibhosheti ndokuti kuna mambo: Haiwa ngaatore zvose, ishe wangu mambo zvaakasvika kumba kwake nerugare.
  8543. 2Sa 19:31 NaBharizirai muGiriyadhi waiva aburuka kubva kuRogerimi ndokuyambuka Joridhani namambo, kumuperekedza mhiri kwaJoridhani.
  8544. 2Sa 19:32 Zvino Bharizirai waiva mutana kwazvo ane makore makumi masere; uye iye waiva araramisa mambo paaigara paMahanayimu; nokuti waiva munhu mukuru kwazvo.
  8545. 2Sa 19:33 Mambo ndokuti kuna Bharizirai: Iwe yambuka pamwe neni, uye ndichakuraramisa pamwe neni paJerusarema.
  8546. 2Sa 19:34 Bharizirai ndokuti kuna mambo: Mangani mazuva emakore eupenyu hwangu kuti ndikwire pamwe namambo kuJerusarema?
  8547. 2Sa 19:35 Nhasi ndiri wemakore makumi masere. Ndingaparadzanisa chakanaka nechakaipa here? Varanda venyu vangaravira zvandinodya here nezvandinonwa? Ndichiri kunzwa inzwi revarume vanoimba nerevakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achanoitirei mutoro kuna ishe wangu mambo?
  8548. 2Sa 19:36 Muranda wenyu achayambuka zvishoma Joridhani pamwe namambo; zvino mambo angandiripira nemubairo wakadai sei?
  8549. 2Sa 19:37 Regai henyu muranda wenyu adzokere, kuti ndinofira muguta rangu, paguva rababa vangu neramai vangu. Asi tarirai, muranda wenyu Chimuhamu, ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira zvakanaka pameso enyu.
  8550. 2Sa 19:38 Mambo ndokuti: Chimuhamu achayambuka neni, uye ini ndichamuitira zvakanaka pameso ako; uye zvose zvaunotsvaka kwandiri ndichakuitira izvo.
  8551. 2Sa 19:39 Zvino vanhu vose vakayambuka Joridhani, mambo ayambukawo; mambo wakatsvoda Bharizirai ndokumuropafadza, iye ndokudzokera kunzvimbo yake.
  8552. 2Sa 19:40 Naizvozvo mambo wakapfuurira kuGirigari, Chimuhamu ndokupfuurira naye, nevanhu vose vaJudha vakapfuudzira mberi mambo, uyewo hafu yerudzi rwaIsraeri.
  8553. 2Sa 19:41 Zvino tarira varume vose vaIsraeri vakauya kuna mambo, ndokuti kuna mambo: Hama dzedu varume vaJudha vakakubai nemhaka yei, vakayambusa mambo neimba yake Joridhani, nevarume vose vaDhavhidhi pamwe naye?
  8554. 2Sa 19:42 Zvino varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsraeri ndokuti: Nokuti mambo ihama yedu yepedo; uye matsamwirei nenyaya iyi? Takatongodya zvamambo here? Kana wakatipa chipo here?
  8555. 2Sa 19:43 Varume vaIsraeri ndokupindura varume vaJudha ndokuti: Tine zvikamu gumi kuna mambo, uyezve tine zvizhinji kuna Dhavhidhi kupfuura imwi; zvino makatizvidzirei kuti inzwi redu risava rekutanga pakudzosa mambo wedu? Asi shoko revarume vaJudha raiva rakaoma kupfuura shoko revarume vaIsraeri.
  8556. 2Sa 20:1 Zvino zvakaitika ipapo kuti kuvepo munhu waBheriari, zita rake raiva Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini. Zvino wakaridza hwamanda ndokuti: Hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; munhu umwe neumwe kutende rake, Israeri.
  8557. 2Sa 20:2 Naizvozvo munhu wose wekwaIsraeri wakakwira kubva shure kwaDhavhidhi kutevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi vanhu vekwaJudha vakanamatira kuna mambo wavo, kubva paJoridhani kusvika paJerusarema.
  8558. 2Sa 20:3 Zvino Dhavhidhi wakasvika kumba kwake paJerusarema; mambo ndokutora vakadzi gumi, varongo vaaiva asiya kuti varinde imba, ndokuvaisa muimba yakachengetwa, ndokuvariritira, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vaiva vakapfigirwa kusvika pazuva rekufa kwavo, vachirarama pauchirikadzi.
  8559. 2Sa 20:4 Zvino mambo wakati kuna Amasa: Ndidanire varume vaJudha mumazuva matatu; newe uvepo pano.
  8560. 2Sa 20:5 Amasa ndokuenda kunodanira pamwe Judha, asi wakanonoka kudarika nguva yakatarwa yaaiva amutarira iye.
  8561. 2Sa 20:6 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Abhishai: Ikozvino Shebha mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura Abhusaromu. Iwe tora varanda vashe wako, umudzingirire shure, zvimwe angazviwanira maguta akashoshewa, ndokuzvinunura kubva pameso edu.
  8562. 2Sa 20:7 Zvino kwakabuda shure kwake varume vaJoabhu, nevaKereti, nevaPereti, nevarume vose veumhare, ndokubuda muJerusarema kudzingirira shure Shebha mwanakomana waBhikiri.
  8563. 2Sa 20:8 Vakati vava pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa wakapinda pamberi pavo. Zvino Joabhu waiva akazvisunga chiuno nenguvo yaaiva akapfeka, uye pamusoro payo paiva nebhanhire rine munondo wakasungirwa pachiuno chake uri mumuhara mawo; zvino ari kuenderera mberi, munondo wakawa.
  8564. 2Sa 20:9 Joabhu ndokuti kuna Amasa: Wakasimba here, munin’ina wangu? Joabhu ndokubata Amasa nechirebvu neruoko rwerudyi kuti amutsvode.
  8565. 2Sa 20:10 Asi Amasa haana kucherekedza munondo waiva muruoko rwaJoabhu; naizvozvo wakamurova nawo mudumbu, ndokutumburira ura hwake pavhu, akasamudzokorora, ndokufa. Zvino Joabhu nemunin’ina wake Abhishai ndokudzingirira shure Shebha mwanakomana waBhikiri.
  8566. 2Sa 20:11 Zvino murume wemajaya aJoabhu waiva amirepo naye, ndokuti: Anoda Joabhu, neari waDhavhidhi, tevera Joabhu.
  8567. 2Sa 20:12 Asi Amasa wakaumburuka muropa pakati penzira huru. Murume uyu paakaona kuti vanhu vose vakamira, wakabvisa Amasa panzira huru ndokumuisa musango, ndokukanda nguvo pamusoro pake, paakaona kuti wose anosvika kwaari wakamira.
  8568. 2Sa 20:13 Paakabviswa kubva panzira huru, vanhu vose vakapfuura vakatevera Joabhu, kudzingirira shure Shebha mwanakomana waBhikiri.
  8569. 2Sa 20:14 Zvino wakapfuura nemumarudzi ose aIsraeri kusvika paAbheri nekuBheti-Maaka, nevaBheri vese; ndokuungana naivo ndokumutevera.
  8570. 2Sa 20:15 Zvino vakasvika ndokumukomba paAbheri reBheti-Maaka, vakatutira churu chevhu pakatarisana neguta, ndokumira panhare; vanhu vose vaiva naJoabhu vakakanganisa rusvingo kuti varuputsire pasi.
  8571. 2Sa 20:16 Zvino kwakadanidzira mukadzi wakachenjera ari muguta, akati: Inzwai, inzwai, itii henyu kuna Joabhu: Swedera pano, kuti nditaure newe.
  8572. 2Sa 20:17 Zvino wakaswedera kwaari. Mukadzi ndokuti: Ndiwe Joabhu here? Iye ndokuti: Ndini. Iye ndokuti kwaari: Inzwai mashoko emurandakadzi wenyu. Iye ndokuti: Ndinonzwa.
  8573. 2Sa 20:18 Zvino wakataura achiti: Kare vaiva vakajaira kutaura vachiti: Ngavabvunzisise muAbheri. Vakapedza saizvozvo.
  8574. 2Sa 20:19 Ndiri weverugare, wevakavimbika kwaIsraeri; munotsvaka kuparadza guta uye amai kwaIsraeri; unomedzerei nhaka yaJehovha?
  8575. 2Sa 20:20 Joabhu ndokupindura ndokuti: Ngazvive kure, ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza.
  8576. 2Sa 20:21 Nyaya haina kudaro; asi munhu wegomo raEfuremu, ndiShebha mwanakomana waBhikiri zita rake, wakasimudzira mambo ruoko rwake, kurwisa Dhavhidhi; mupei iye ega, zvino ndichabva paguta. Mukadzi ndokuti kuna Joabhu: Tarirai, musoro wake uchakandirwa nepamusoro perusvingo.
  8577. 2Sa 20:22 Zvino mukadzi wakaenda muuchenjeri hwake kuvanhu vose. Ivo ndokugura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, ndokuukandira kuna Joabhu. Iye ndokuridza hwamanda, zvino vakapararira kubva muguta, umwe neumwe kuenda kutende rake. Joabhu ndokudzokera kuJerusarema kuna mambo.
  8578. 2Sa 20:23 Zvino Joabhu waiva pamusoro pehondo yose yaIsraeri; naBhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro peKereti nevaPereti;
  8579. 2Sa 20:24 naAdhoramu waiva pamusoro pechibharo; naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wenhoroondo;
  8580. 2Sa 20:25 uye Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
  8581. 2Sa 20:26 uye naIra muJairi waiva mupristi waDhavhidhi.
  8582. 2Sa 21:1 Zvino kwakava nenzara pamazuva aDhavhidhi makore matatu, gore negore achiteverana; Dhavhidhi ndokutsvaka chiso chaJehovha. Jehovha ndokuti: Imhaka yaSauro nemhaka yeimba yeropa, nokuti akauraya VaGibhiyoni.
  8583. 2Sa 21:2 Mambo ndokudana VaGibhiyoni, ndokuti kwavari: (Zvino VaGibhiyoni vaiva vasiri vevana vaIsraeri, asi vevasiiwa vevaAmori, uye vana vaIsraeri vaiva vapika kwavari; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya neshungu dzake pavana vaIsraeri naJudha).
  8584. 2Sa 21:3 Naizvozvo Dhavhidhi wakati kuvaGibhiyoni: Ndichakuitirai chii? Uye ndichaita chiyananiso nei, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?
  8585. 2Sa 21:4 VaGibhiyoni ndokuti kwaari: Hatichina sirivha kana goridhe pana Sauro nepaimba yake; uye hazvisi kwatiri kuuraya munhu kwaIsraeri. Iye ndokuti: Chamunoreva ndichakuitirai icho.
  8586. 2Sa 21:5 Ivo ndokuti kuna mambo: Munhu wakatipedza uye wakatirongera kuti tiparadzwe, tirege kugara pamuganhu upi neupi waIsraeri,
  8587. 2Sa 21:6 varume vanomwe vevanakomana vake ngavapiwe kwatiri. Zvino tichavaremberedzera Jehovha paGibhiya raSauro, musarudzwa waJehovha. Mambo ndokuti: Ini ndichakupai.
  8588. 2Sa 21:7 Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nekuda kwemhiko yaJehovha yaiva pakati pavo, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
  8589. 2Sa 21:8 Asi mambo wakatora vanakomana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaaiva aberekera Sauro, Arimoni naMefibhosheti, nevanakomana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakaberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati;
  8590. 2Sa 21:9 ndokuvapa muruoko rwevaGibhiyoni; ivo ndokuvaremberedza mugomo pamberi paJehovha; vanomwe ndokuwa pamwe chete. Uye vakaurawa pamazuva ekukohwa, ekutanga, pakutanga kwekukohwa bhari.
  8591. 2Sa 21:10 Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora saga, ndokuzviwarira iro pamusoro pedombo, kubva pakutanga kwekukohwa kusvika mvura yadonhera pamusoro pavo kubva kumatenga; haana kutendera shiri dzekumatenga kuti dzimhare pamusoro pavo masikati, kana zvikara zvesango usiku.
  8592. 2Sa 21:11 Zvino zvakaudzwa Dhavhidhi izvo Rizipa mukunda waAya murongo waSauro zvaakaita.
  8593. 2Sa 21:12 Zvino Dhavhidhi wakaenda akatora mapfupa aSauro nemapfupa aJonatani mwanakomana wake kuvagari veJabheshi-Giriyadhi, vaiva vaaba kubva panzira yeBheti-Shani, vaFirisitia pavaiva vavaremberedza, pazuva revaFirisitia vachirova Sauro paGiribhoa.
  8594. 2Sa 21:13 Zvino wakakwidza kubvapo mapfupa aSauro nemapfupa aJonatani mwanakomana wake, uye vakaunganidza mapfupa evakaremberedzwa.
  8595. 2Sa 21:14 Zvino mapfupa aSauro neaJonatani mwanakomana wake vakaaviga munyika yaBhenjamini paZera, paguva raKishi baba vake. Vakaita zvose mambo zvaakaraira. Zvino shure kweizvozvo Mwari wakanyengetedzeka nekuda kwenyika.
  8596. 2Sa 21:15 Zvino vaFirisitia vakavazve nehondo naIsraeri. Dhavhidhi ndokuburuka nevaranda vake vanaye, zvino vakarwa nevaFirisitia; Dhavhidhi ndokuneta.
  8597. 2Sa 21:16 Zvino Ishibhi-Bhenobhi, waiva wevanakomana vemurume ane simba, kurema kwepfumo rake kwaiva mashekeri mazana matatu endarira pakurema, iye waiva akasungira muchiuno munondo mutsva, akati acharova Dhavhidhi.
  8598. 2Sa 21:17 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, ndokurova muFirisitia, ndokumuuraya. Zvino varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vachiti: Hamuchabudizve nesu kuhondo, zvimwe mungadzima mwenje waIsraeri.
  8599. 2Sa 21:18 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti kwakavazve nehondo nevaFirisitia paGobhi. Ipapo Sibhekai muHushati wakarova Safi, waiva wevanakomana vemurume ane simba.
  8600. 2Sa 21:19 Zvino kwakavazve nehondo paGobhi nevaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJaari-Oregimi weBheterehemu paakarova mukoma waGoriati muGiti; uye rwiriko rwepfumo rake rwaiva rwakaita sedanda remuruki.
  8601. 2Sa 21:20 Zvino kwakavazve nehondo paGati, paiva nemunhu murefu waiva neminwe mitanhatu pamaoko ake, nezvigunwe zvitanhatu patsoka dzake, makumi maviri nezvina pauwandu; naiyewo waiva akaberekerwa murume ane simba.
  8602. 2Sa 21:21 Paakazvidza Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea munin’ina waDhavhidhi wakamuuraya.
  8603. 2Sa 21:22 Ava vana vaiva vaberekerwa murume ane simba paGati; zvino vakawa neruoko rwaDhavhidhi uye neruoko rwevaranda vake.
  8604. 2Sa 22:1 Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko erwiyo urwu nezuva Jehovha raakamusunungura paruoko rwevavengi vake vose nemuruoko rwaSauro.
  8605. 2Sa 22:2 Ndokuti: Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nemununuri wangu kwandiri,
  8606. 2Sa 22:3 Mwari wedombo rangu, ndichatizira kwaari; chidzitiro changu, nerunyanga rweruponeso rwangu, shongwe yangu yakakwirira, neutiziro hwangu. Muponesi wangu, makandiponesa pakumanikidzwa.
  8607. 2Sa 22:4 Ndichadana kuna Jehovha, wakafanira kurumbidzwa; naizvozvo ndichaponeswa kubva kuvavengi vangu.
  8608. 2Sa 22:5 Nokuti mafungu erufu akandikomba, mafashame ezvakaipa akandivhundusa.
  8609. 2Sa 22:6 Mabote eSheori akandikomberedza, misungo yerufu yaiva mberi kwangu.
  8610. 2Sa 22:7 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye ndakadana kuna Mwari wangu; iye ndokunzwa inzwi rangu ari mutembere yake, uye kuchema kwangu kwakava munzeve dzake.
  8611. 2Sa 22:8 Ipapo nyika yakadengenyeka ndokudedera; nheyo dzekumatenga dzakadengenyeka, ndokuzununguka, nokuti iye waiva atsamwa.
  8612. 2Sa 22:9 Kwakakwira utsi kubva mumhino dzake, uye moto wakaparadza kubva mumuromo make; mazimbe akapfutidzwa nawo.
  8613. 2Sa 22:10 Wakakotamisawo matenga, ndokuburuka; nerima gobvu raiva pasi petsoka dzake.
  8614. 2Sa 22:11 Zvino wakatasva kerubhi ndokubhururuka; akaonekwawo ari pamapapiro emhepo.
  8615. 2Sa 22:12 Zvino wakamisa rima kuva dumba mativi ake ose, muunganidzwa wemvura, makore makobvu emuchadenga.
  8616. 2Sa 22:13 Mukupenya pamberi pake kwakapfuta mazimbe emoto.
  8617. 2Sa 22:14 Jehovha wakatinhira ari kumatenga, uye Wekumusoro-soro wakabudisa inzwi rake.
  8618. 2Sa 22:15 Zvino wakatuma miseve, ndokuvaparadza; mheni, ndokuvavhiringidza.
  8619. 2Sa 22:16 Zvino migero yegungwa yakaonekwa, nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, pakutsiura kwaJehovha, pakudhuuka kwemweya wemhino dzake.
  8620. 2Sa 22:17 Wakatuma ari kumusoro, akanditora, akandinyukura kubva mumvura zhinji.
  8621. 2Sa 22:18 Wakandinunura kubva pamuvengi wangu wakasimba, kune vanondivenga; nokuti vane simba kundipfuura.
  8622. 2Sa 22:19 Vaiva mberi kwangu nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha wakava mutsigiri wangu.
  8623. 2Sa 22:20 Wakandibudisirawo kunzvimbo yakafara, akandinunura, nokuti waifadzwa neni.
  8624. 2Sa 22:21 Jehovha wakandipa mubairo zvichienderana nekururama kwangu; wakanditsivira zvichienderana nekuchena kwemaoko angu.
  8625. 2Sa 22:22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, uye handina kubva kuna Mwari wangu nekuipa.
  8626. 2Sa 22:23 Nokuti mitongo yake yose yaiva pamberi pangu; nezvimiso zvake handina kutsauka pazviri.
  8627. 2Sa 22:24 Ndaivawo ndakarurama pamberi pake, uye ndakazvichengeta kubva pane chakaipa changu.
  8628. 2Sa 22:25 Naizvozvo Jehovha wakanditsivira zvichienderana nekururama kwangu, zvichienderana nekuchena kwangu pamberi pemeso ake.
  8629. 2Sa 22:26 Kune ane tsitsi munozviratidza mune tsitsi; kumurume wakarurama munozviratidza makarurama.
  8630. 2Sa 22:27 Kune wakachena munozviratidza muri wakachena; uye kune wakatsauka munozviratidza makatsauka.
  8631. 2Sa 22:28 Nevanhu vanorwadziswa muchaponesa; asi meso enyu ari pamusoro pevanozvikudza, muchavaderedza.
  8632. 2Sa 22:29 Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha achavhenekera rima rangu.
  8633. 2Sa 22:30 Nokuti nemwi ndakamhanya nepakati pehondo; naMwari wangu ndakauruka rusvingo.
  8634. 2Sa 22:31 Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha rakaidzwa; ndiye nhovo kune vose vanotsvaka uvando kwaari.
  8635. 2Sa 22:32 Nokuti ndiani Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndiani dombo kunze kwaMwari wedu?
  8636. 2Sa 22:33 Mwari inhare yangu nesimba; uye anokwanisa nzira yangu.
  8637. 2Sa 22:34 Unoita tsoka dzangu sedzenondokadzi, uye anondimisa pakakwirira pangu.
  8638. 2Sa 22:35 Anodzidzisira maoko angu hondo, zvekuti uta hwendarira hunovhunwa nezvanza zvangu.
  8639. 2Sa 22:36 Makandipawo chidzitiro cheruponeso rwenyu, uye unyoro hwenyu hwakandikurisa.
  8640. 2Sa 22:37 Makafarikanyisa nhanho yangu pasi pangu; kuti tsoka dzangu dzisatedzemuka.
  8641. 2Sa 22:38 Ndakadzingirira vavengi vangu ndokuvaparadza, uye handina kudzoka kusvika vapedzwa.
  8642. 2Sa 22:39 Zvino ndakavapedza, ndokuvabaya, zvekuti havamuki; asi vakawa pasi petsoka dzangu.
  8643. 2Sa 22:40 Nokuti makandisunga chiuno nesimba kuitira hondo; makakotamisira pasi pangu vakandimukira.
  8644. 2Sa 22:41 Makandipawo mutsipa wevavengi vangu, kuti ndiparadze vanondivenga.
  8645. 2Sa 22:42 Vakatarira, asi paiva pasina muponesi; kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
  8646. 2Sa 22:43 Zvino ndakavakuya seguruva renyika; ndakavatswa sedope renzira dzemumusha, ndikavaparadzira.
  8647. 2Sa 22:44 Uye makandinunura pakukakavadzana kwevanhu vangu; makandichengeta ndiri mukuru wendudzi; vanhu vandaiva ndisingazivi vakandishandira.
  8648. 2Sa 22:45 Vatorwa vachazviwisira pasi pangu; pakunzwa kwenzeve, vachateerera kwandiri.
  8649. 2Sa 22:46 Vatorwa vachasvava, vagobuda munhare dzavo vachidedera.
  8650. 2Sa 22:47 Jehovha mupenyu; uye ngarikudzwe dombo rangu; uye ngaakwiridzirwe Mwari, dombo reruponeso rwangu.
  8651. 2Sa 22:48 NdiMwari anonditsivira zvakazara, uye anoderedza marudzi pasi pangu.
  8652. 2Sa 22:49 Uye anondibudisa kubva pavavengi vangu, nepamusoro pevanondimukira makandisimudzira; pamunhu wekumanikidza kwazvo makandinunura.
  8653. 2Sa 22:50 Naizvozvo ndichakurumbidzai Jehovha, pakati pendudzi, uye ndichaimbira zita renyu rumbidzo.
  8654. 2Sa 22:51 Anokurisa ruponeso rwamambo wake; uye unoitira muzodzwa wake unyoro, kuna Dhavhidhi nekumbeu yake nekusingaperi.
  8655. 2Sa 23:1 Zvino awa mashoko ekupedzisira aDhavhidhi. Dhavhidhi mwanakomana waJese wakati, uye munhu wakasimudzirwa kumusoro, muzodzwa waMwari waJakove, uye muimbiriri anonakidza waIsraeri, wakati:
  8656. 2Sa 23:2 Mweya waJehovha wakataura pandiri, uye shoko rake riri parurimi rwangu.
  8657. 2Sa 23:3 Mwari waIsraeri wakati, dombo raIsraeri rakataura kwandiri, rikati: Anotonga vanhu achava wakarurama, achitonga mukutya Mwari.
  8658. 2Sa 23:4 Uye achava sechiedza chemangwanani pakubuda kwezuva, mangwanani asina makore; sebumhudza pavhu nekupenya pashure pekunaya kwemvura.
  8659. 2Sa 23:5 Kunyange imba yangu isina kudaro kuna Mwari, zvakadaro wakaita neni sungano yekusingaperi, yakarongwa pazvose, yakasimba; nokuti ruponeso rwangu rwose, nechishuvo chose, kunyange asingazvikurisi.
  8660. 2Sa 23:6 Asi vari vaBheriyari vose vachava seminzwa inoraswa, nokuti haigoni kutorwa neruoko.
  8661. 2Sa 23:7 Asi munhu achaibata achashongedzwa neutare uye nerwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvekupiswa nemoto panzvimbo iyo.
  8662. 2Sa 23:8 Ndiwo mazita evarume vane simba Dhavhidhi vaaiva navo: Joshebhi-Bhashebheti muTakemoni, musoro wemachinda; ndiye waiva Adhino muEzini, nekuda kwevane mazana masere vakaurawa nenguva imwe.
  8663. 2Sa 23:9 Zvino shure kwake kwaiva naEriazari mwanakomana waDhodho, mwanakomana wemuAhohi, umwe wevarume vane simba vatatu vaiva naDhavhidhi pavakavamba vaFirisitia vaiva vakaunganirapo hondo, varume vaIsraeri pavaiva vakwira.
  8664. 2Sa 23:10 Iye wakasimuka ndokurova pakati pevaFirisitia kusvika ruoko rwake rwaneta, uye ruoko rwake rukanamatira pamunondo; Jehovha ndokuita ruponeso rukuru nezuva iro; vanhu ndokudzoka shure kwake kuzopamba chete.
  8665. 2Sa 23:11 Zvino shure kwake kwaiva naShama mwanakomana waAgee muHarari. VaFirisitia ndokuungana kuita chaunga, uye ipapo paiva nendima yemunda yaiva izere nenyemba diki; vanhu ndokutiza pachiso chevaFirisitia.
  8666. 2Sa 23:12 Asi wakamira pakati pendima, ndokuinunura, ndokuuraya vaFirisitia. Jehovha ndokuita ruponeso rukuru.
  8667. 2Sa 23:13 Zvino vatatu vemisoro makumi matatu vakaburuka, ndokusvika kuna Dhavhidhi mubako reAdhuramu nenguva yekukohwa; uye chaunga chevaFirisitia chaiva chadzika matende pamupata wevaRefaimu.
  8668. 2Sa 23:14 Zvino ipapo Dhavhidhi waiva munhare, uye boka revarwi revaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo.
  8669. 2Sa 23:15 Zvino Dhavhidhi wakashuva ndokuti: Haiwa! Dai umwe achindipa mvura ndinwe yetsime reBheterehemu riri pasuwo!
  8670. 2Sa 23:16 Zvino varume vane simba avo vatatu vakapoya ndokugura nemumusasa wevaFirisitia, ndokuchera mvura kubva mutsime reBheterehemu raiva pasuwo, vakatora vakauya nayo kuna Dhavhidhi. Zvakadaro haana kuda kuinwa, asi wakaidururira kuna Jehovha.
  8671. 2Sa 23:17 Ndokuti: Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite chinhu ichi! Harisi ropa revarume vakaenda neupenyu hwavo munjodzi here? Zvino akasada kuinwa. Ndizvo zvakaita varume vane simba vatatu ava.
  8672. 2Sa 23:18 Zvino Abhishai munin’ina waJoabhu, mwanakomana waZeruya, waiva musoro wevatatu avo; ndiye wakasimudzira pfumo rake vane mazana matatu, ndokuuraya; zvino akava nezita pakati pevatatu ava.
  8673. 2Sa 23:19 Haana kuremekedzwa zvikuru pavatatu ava here? Naizvozvo wakava musoro wavo. Asi haana kusvika pavatatu vekutanga.
  8674. 2Sa 23:20 Zvino Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, mukuru pazviito, iye waiva auraya vaviri vaiva vakaita seshumba yaMoabhu, akaburuka akanourayawo shumba mukati mehunza panguva yemagada echando.
  8675. 2Sa 23:21 Iye akaurayawo muEgipita, murume waionekara, uye muruoko rwemuEgipita maiva nepfumo; asi iye wakaburukira kwaari ane tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwemuEgipita, akamuuraya nepfumo rake.
  8676. 2Sa 23:22 Zvinhu izvi zvakaita Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, uye iye waiva ane zita pakati pevarume vane simba avo vatatu.
  8677. 2Sa 23:23 Waiva achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kusvika kuvatatu vekutanga. Dhavhidhi akamuisa pamusoro pevarindi vake.
  8678. 2Sa 23:24 Asaheri munin’ina waJoabhu waiva pakati pemakumi matatu; Erihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;
  8679. 2Sa 23:25 Shama muHarodhi; Erika muHarodhi;
  8680. 2Sa 23:26 Herezi muPariti; Ira mwanakomana waIkeshi muTekoi;
  8681. 2Sa 23:27 Abhiezeri muAnatoti; Mebhunai muHushati;
  8682. 2Sa 23:28 Zarimoni muAhohi; naMaharai muNetofati;
  8683. 2Sa 23:29 Herebhu mwanakomana waBhaana muNetofati; Itai mwanakomana waRibhai kubva kuGibhiya wevana vekwaBhenjamini;
  8684. 2Sa 23:30 Bhenaya muPiratoni; Hidhai wehova dzeGaashi;
  8685. 2Sa 23:31 Abhi-Aribhoni muAribhati; Azimavheti muBharihumi;
  8686. 2Sa 23:32 Eriahibha muShaaribhoni; wevanakomana vaJasheni, Jonatani;
  8687. 2Sa 23:33 Shama muHarari; Ahiami mwanakomana waSharari muArari;
  8688. 2Sa 23:34 Erifereti mwanakomana waAhashibhai, mwanakomana wemuMaakati; Eriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;
  8689. 2Sa 23:35 Hezirai muKarimeri; Paarai muAribhi;
  8690. 2Sa 23:36 Igari mwanakomana waNatani weZobha; Bhani muGadhi;
  8691. 2Sa 23:37 Zereki muAmoni; Naharai muBheeroti, mutakuri wezvombo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya;
  8692. 2Sa 23:38 Ira muItiri; Garebhi muItiri;
  8693. 2Sa 23:39 Uriya muHiti; vose vaiva makumi matatu nevanomwe.
  8694. 2Sa 24:1 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutirazve Israeri, ndokuvamutsira Dhavhidhi, achiti: Enda uverenge Israeri naJudha.
  8695. 2Sa 24:2 Naizvozvo mambo wakati kuna Joabhu mukuru wehondo waiva naye: Enda ikozvino upote pamarudzi ose aIsraeri, kubva paDhani kusvikawo paBheeri-Shebha, uye uverenge vanhu, kuti ndizive uwandu hwevanhu.
  8696. 2Sa 24:3 Joabhu ndokuti kuna mambo: Dai Jehovha Mwari wenyu awedzera pavanhu, sezvavakaita uye saivo, zvipamhidzirwe rune zana, kuti meso ashe wangu mambo aone. Asi ishe wangu mambo anofadzirwei nechinhu ichi?
  8697. 2Sa 24:4 Zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu uye vakuru vehondo. Joabhu nevakuru vehondo ndokubuda pamberi pamambo kuti vaverenge vanhu, iye Israeri.
  8698. 2Sa 24:5 Zvino vakayambuka Joridhani, ndokudzika matende paAroeri, kurudyi rweguta, riri pakati perukova rweGadhi, nepakananga Jazeri.
  8699. 2Sa 24:6 Zvino vakasvika paGiriyadhi nepanyika yeTahetimi-Hodhisi; ndokusvika paDhani-Jaani, nekupoteredza kusvika paSidhoni.
  8700. 2Sa 24:7 Ndokusvika kunhare yeTire, nemaguta ose evaHivhi, neevaKenani; ndokubudira kuchamhembe kwaJudha paBheeri-Shebha.
  8701. 2Sa 24:8 Zvino vakapota vakagura nepanyika yose, vakasvika paJerusarema pakupera kwemwedzi mipfumbamwe nemazuva makumi maviri.
  8702. 2Sa 24:9 Zvino Joabhu wakapa uwandu hwekuverengwa kwevanhu kuna mambo. Zvino kwaIsraeri kwaiva nemhare zvuru mazana masere vaivhomora munondo; uye varume vaJudha vaiva varume zvuru mazana mashanu.
  8703. 2Sa 24:10 Zvino hana yaDhavhidhi yakamurova shure kwekunge averenga vanhu. Dhavhidhi ndokuti kuna Jehovha: Ndatadza kwazvo neizvo zvandaita; asi ikozvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwemuranda wenyu; nokuti ndaita neupenzi kwazvo.
  8704. 2Sa 24:11 Dhavhidhi paakamuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Gadhi, muoni waDhavhidhi, richiti:
  8705. 2Sa 24:12 Enda unoti kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndinokuisira zvitatu; zvisarudzire chimwe chazvo, kuti ndichiite kwauri.
  8706. 2Sa 24:13 Gadhi ndokusvika kuna Dhavhidhi, ndokumuudza ndokuti kwaari: Kuuye kwauri makore manomwe enzara panyika yako here? Kana kuti utize pamberi pevavengi vako mwedzi mitatu vachikudzingirira here? Dai kwava nedenda panyika yako mazuva matatu here? Ikozvino ziva uone kuti imhinduroi yandichadzosera kune wakandituma.
  8707. 2Sa 24:14 Dhavhidhi ndokuti kuna Gadhi: Ndiri pakumanikidzwa kwazvo; regai henyu ikozvino tiwire muruoko rwaJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru, asi ndirege kuwira muruoko rwemunhu.
  8708. 2Sa 24:15 Naizvozvo Jehovha wakaisa denda muIsraeri kubva mangwanani kusvika panguva yaiva yatarwa. Zvino kwakafa kubva pavanhu varume zvuru makumi manomwe, kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha.
  8709. 2Sa 24:16 Mutumwa paakatandavadzira ruoko rwake paJerusarema kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa ichi, ndokuti kumutumwa waiparadza vanhu: Zvakwana, ikozvino chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha waiva paburiro raArauna muJebhusi.
  8710. 2Sa 24:17 Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha paakaona mutumwa wairova vanhu, ndokuti: Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; zvino makwai awa akaitei? Ruoko rwenyu ngarurwise henyu ini uye rurwise imba yababa vangu.
  8711. 2Sa 24:18 Zvino Gadhi wakasvika kuna Dhavhidhi nezuva iro, ndokuti kwaari: Kwira umisire Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.
  8712. 2Sa 24:19 Dhavhidhi ndokukwira zvichienderana neshoko raGadhi, Jehovha sezvaakaraira.
  8713. 2Sa 24:20 Zvino Arauna wakatarisa pasi ndokuona mambo nevaranda vake vachiyambukira kwaari; Arauna ndokubuda, ndokukotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
  8714. 2Sa 24:21 Arauna ndokuti: Sei ishe wangu mambo auya kumuranda wake? Dhavhidhi ndokuti: Kuti nditenge buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti dambudziko ribatike kubva kuvanhu.
  8715. 2Sa 24:22 Arauna ndokuti kuna Dhavhidhi: Ishe wangu mambo ngaatore ape zvakanaka pameso ake; onai, nzombe dzechipo chinopiswa, nemipuro nezvinhu zvenzombe zvive huni.
  8716. 2Sa 24:23 Izvi zvose, mambo, Arauna anopa mambo. Arauna ndokuti kuna mambo: Jehovha Mwari wenyu akugamuchirei.
  8717. 2Sa 24:24 Mambo ndokuti kuna Arauna: Kwete, asi ndichazvitenga zvekuzvitenga kwauri nemutengo; uye handingapi Jehovha Mwari wangu zvipo zvinopiswa zvisina kundidhurira. Dhavhidhi ndokutenga buriro nenzombe nemashekeri esirivha makumi mashanu.
  8718. 2Sa 24:25 Dhavhidhi ndokuvakirapo Jehovha aritari, akapa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa. Naizvozvo Jehovha wakanyengetedzeka nekuda kwenyika, dambudziko ndokubatika kubva pana Israeri
  8719. 1Ki 1:1 Zvino mambo Dhavhidhi waiva akwegura, apinda mumakore [mazhinji]; zvino vakamufukidza nedzinguvo, asi haana kudziya.
  8720. 1Ki 1:2 Naizvozvo varanda vake vakati kwaari: Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe musikana mhandara, uye ngaamire pamberi pamambo, uye ave muongi kwaari, uye arare pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo adziye.
  8721. 1Ki 1:3 Zvino vakatsvaka musikana wakanaka pamiganhu yose yaIsraeri, ndokuwana Abhishagi muShunami, ndokumuunza kuna mambo.
  8722. 1Ki 1:4 Zvino musikana waiva akanaka zvikuru kwazvo, iye ndokuva muongi wamambo, ndokumushandira, asi mambo haana kumuziva.
  8723. 1Ki 1:5 Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza achiti: Ini ndichava mambo. Zvino wakazvigadzirira ngoro nevatasvi vemabhiza, nevarume makumi mashanu vaimhanya pamberi pake.
  8724. 1Ki 1:6 Asi baba vake vaiva vasina kumutsamwisa kubva pamazuva avo vachiti: Unoitirei saizvozvo? Naiyewo waiva nechimiro chakanaka kwazvo, uye mai vake vamubereka shure kwaAbhusaromu.
  8725. 1Ki 1:7 Zvino manzwi ake aiva pamwe naJoabhu mwanakomana waZeruya uye pamwe naAbhiatari mupristi; ndokubatsira vachitevera Adhonia.
  8726. 1Ki 1:8 Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nevarume vane simba Dhavhidhi vaaiva navo, vaiva vasiri kuna Adhonia.
  8727. 1Ki 1:9 Zvino Adhonia wakabaya makwai nenzombe nezvakakodzwa padombo reZohereti, riri paEni-Rogeri, ndokudana hama dzake dzose, vanakomana vamambo, nevarume vose vaJudha, varanda vamambo.
  8728. 1Ki 1:10 Asi Natani muporofita, naBhenaya, nevarume vane simba, naSoromoni munin’ina wake, haana kuvadana.
  8729. 1Ki 1:11 Naizvozvo Natani wakataura kuna Bhati-Shebha mai vaSoromoni achiti: Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti anotonga, asi Dhavhidhi ishe wedu haazivi?
  8730. 1Ki 1:12 Naizvozvo zvino, uya, rega hako ndikupe zano, kuti uponese upenyu hwako neupenyu hwemwanakomana wako Soromoni.
  8731. 1Ki 1:13 Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi uti kwaari: Ishe wangu mambo, imwi hamuna kupika here kumurandakadzi wenyu muchiti: Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako achatonga shure kwangu, uye iye achagara pachigaro changu cheushe? Zvino Adhonia anotongerei?
  8732. 1Ki 1:14 Tarira, uchiri kutaura ipapo namambo, iniwo ndichapinda shure kwako, ndigosimbisa mashoko ako.
  8733. 1Ki 1:15 Zvino Bhati-Shebha wakapinda kuna mambo mumba; zvino mambo waiva akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami waishandira mambo.
  8734. 1Ki 1:16 Bhati-Shebha wakakotama ndokunamata kuna mambo. Mambo ndokuti: Chii chinodikanwa kwauri?
  8735. 1Ki 1:17 Iye ndokuti kwaari: Ishe wangu, imwi makapika naJehovha Mwari wenyu kumurandakadzi wenyu, muchiti: Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako achatonga shure kwangu, uye iye achagara pachigaro changu cheushe.
  8736. 1Ki 1:18 Asi ikozvino tarirai, Adhonia anotonga; zvino ikozvino ishe wangu mambo, hamuzivi.
  8737. 1Ki 1:19 Uye wabaya nzombe nezvakakodzwa nemakwai mazhinji, uye wadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi Soromoni muranda wenyu haana kumudana.
  8738. 1Ki 1:20 Zvino imwi ishe wangu mambo, meso aIsraeri wose ari pamusoro penyu, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro cheushe chashe wangu mambo pashure pake.
  8739. 1Ki 1:21 Zvimwe zvichaitika kuti apo ishe wangu mambo arara nemadzibaba ake, kuti ini nemwanakomana wangu Soromoni tichava vatadzi.
  8740. 1Ki 1:22 Zvino tarira, achiri kutaura namambo, Natani muporofita wakapindawo.
  8741. 1Ki 1:23 Zvino vakaudza mambo vachiti: Tarirai Natani muporofita. Uye wapinda pamberi pamambo, ndokukotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
  8742. 1Ki 1:24 Zvino Natani wakati: Ishe wangu, mambo, imwi makareva here kuti: Adhonia achatonga pashure pangu uye iye achagara pachigaro changu cheushe?
  8743. 1Ki 1:25 Nokuti waburuka nhasi, uye wabaya nzombe nezvakakodzwa nemakwai mazhinji, ndokudana vanakomana vose vamambo, nemisoro yehondo, naAbhiatari mupristi; zvino tarirai, vari kudya nekunwa pamberi pake, uye vanoti: Mambo Adhonia ngaararame!
  8744. 1Ki 1:26 Asi ini, ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nemuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
  8745. 1Ki 1:27 Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, uye hamuna kuzivisa muranda wenyu kuti ndiani achagara pachigaro cheushe chashe wangu mambo pashure pake?
  8746. 1Ki 1:28 Zvino mambo Dhavhidhi wakapindura ndokuti: Ndidanire Bhati-Shebha. Iye ndokupinda pamberi pechiso chamambo, ndokumira pamberi pamambo.
  8747. 1Ki 1:29 Zvino mambo wakapika ndokuti: NaJehovha mupenyu, iye wakadzikinura mweya weupenyu wangu pakutambudzika kwese:
  8748. 1Ki 1:30 Zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsraeri ndichiti: Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako achatonga pashure pangu, uye iye achagara pachigaro changu cheushe pachinzvimbo changu; zvirokwazvo ndichaita saizvozvo nhasi.
  8749. 1Ki 1:31 Bhati-Shebha ndokukotamira pasi nechiso, ndokunamata kuna mambo, ndokuti: Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame kusvika rinhi narinhi.
  8750. 1Ki 1:32 Mambo Dhavhidhi ndokuti: Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo ndokupinda pamberi pamambo.
  8751. 1Ki 1:33 Mambo ndokuti kwavari: Torai pamwe nemwi varanda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu panyurusi riri rangu mugomuburusira paGihoni.
  8752. 1Ki 1:34 Uye Zadhoki mupristi naNatani muporofita ngavamuzodze ipapo ave mambo pamusoro paIsraeri; zvino muridze hwamanda, uye muti: Mambo Soromoni ngaararame!
  8753. 1Ki 1:35 Zvino muchakwira shure kwake, kuti auye agogara pachigaro changu cheushe, uye iye atonge pachinzvimbo changu; uye iye ndamugadza kuti ave mutongi pamusoro paIsraeri nepamusoro paJudha.
  8754. 1Ki 1:36 Zvino Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wakapindura mambo ndokuti: Ameni! Ngaareve saizvozvo Jehovha, Mwari washe wangu mambo.
  8755. 1Ki 1:37 Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvo ngaave naSoromoni, uye aite chigaro chake cheushe chikuru pane chigaro cheushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
  8756. 1Ki 1:38 Zvino Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti vakaburuka, ndokutasvisa Soromoni panyurusi ramambo Dhavhidhi, ndokumuendesa kuGihoni.
  8757. 1Ki 1:39 Zvino Zadhoki mupristi wakatora nyanga yemafuta kubva mutende ndokuzodza Soromoni. Zvino vakaridza hwamanda, vanhu vose ndokuti: Mambo Soromoni ngaararame!
  8758. 1Ki 1:40 Zvino vanhu vose vakakwira shure kwake; vanhu ndokuridza nyere, vakafara nemufaro mukuru; naizvozvo nyika yakatsemuka nenzwi ravo.
  8759. 1Ki 1:41 Zvino Adhonia nevakokwa vose vaiva naye vakanzwa ivo pavakapedza kudya. Joabhu paakanzwa kurira kwehwamanda wakati: Nderwei ruzha rweguta rwune mhere-mhere?
  8760. 1Ki 1:42 Achiri kutaura, tarira, kwakasvika Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi; Adhonia ndokuti: Pinda, nokuti uri mhare, unouya nemashoko akanaka.
  8761. 1Ki 1:43 Zvino Jonatani wakapindura ndokuti kuna Adhonia: Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni kuva mambo.
  8762. 1Ki 1:44 Uye mambo watuma pamwe naye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti, uye vamutasvisa panyurusi ramambo.
  8763. 1Ki 1:45 Uye Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodza paGihoni kuva mambo; zvino vakwira kubvapo vachifara, naizvozvo guta rinounga. Ndirwo ruzha rwamanzwa.
  8764. 1Ki 1:46 Uyewo Soromoni wagara pachigaro cheushe cheumambo.
  8765. 1Ki 1:47 Uyewo varanda vamambo vasvika kuropafadza ishe wedu mambo Dhavhidhi vachiti: Mwari wenyu ngaaite zita raSoromoni rive nani pazita renyu, uye aite chigaro chake cheushe chikure kupfuura chigaro chenyu cheushe. Mambo ndokukotama pamubhedha.
  8766. 1Ki 1:48 Uyewo saizvozvo mambo wati: Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, wakapa nhasi anogara pachigaro changu cheushe, meso angu achizviona.
  8767. 1Ki 1:49 Zvino vakokwa vose vaiva naAdhonia vakatya, ndokusimuka, ndokuenda, umwe neumwe nenzira yake.
  8768. 1Ki 1:50 Zvino Adhonia wakatya nekuda kwaSoromoni, ndokusimuka, ndokuenda, ndokubata nyanga dzearitari.
  8769. 1Ki 1:51 Zvino kwakaudzwa Soromoni zvichinzi: Tarirai, Adhonia anotya mambo Soromoni, nokuti tarirai wabata nyanga dzearitari achiti: Mambo Soromoni ngaapike kwandiri nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nemunondo.
  8770. 1Ki 1:52 Soromoni ndokuti: Kana akava murume chaiye, hakungawiri chinhu pasi paruvhudzi rwake; asi kana kuipa kukawanikwa maari, achafa.
  8771. 1Ki 1:53 Mambo Soromoni ndokutuma nhume, zvino akamuburusa paaritari. Zvino wakauya ndokunamata kuna mambo Soromoni. Soromoni ndokuti kwaari: Enda kumba kwako.
  8772. 1Ki 2:1 Zvino mazuva aDhavhidhi akaswedera kuti afe. Zvino wakaraira Soromoni mwanakomana wake achiti:
  8773. 1Ki 2:2 Ndinoenda nenzira yenyika yese; naizvozvo simba, uve murume.
  8774. 1Ki 2:3 Uye chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvimiso zvake, mirairo yake, nemitongo yake, nezvipupuro zvake, sezvazvakanyorwa pamurairo waMozisi, kuti ubudirire pazvose zvaunoita, uye kose kwaunotendeukira.
  8775. 1Ki 2:4 Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura maererano neni, achiti: Kana vanakomana vako vakachenjera panzira yavo, kufamba pamberi pangu muchokwadi nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose, achiti: Hakungagurwi kubva kwauri murume pachigaro cheushe chaIsraeri.
  8776. 1Ki 2:5 Uyezve iwe unoziva Joabhu mwanakomana waZeruya zvaakandiitira, zvaakaita kuvakuru vaviri vehondo dzaIsraeri, kuna Abhineri mwanakomana waNeri, nekuna Amasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya ndokuteura ropa rehondo parugare, wakaisa ropa rehondo pabhanhire rake raiva pachiuno chake, nepashangu dzake dzaiva patsoka dzake.
  8777. 1Ki 2:6 Naizvozvo ita zvinoenderana neuchenjeri hwako, uye usarega musoro wake wachena uchiburukira muguva nerugare.
  8778. 1Ki 2:7 Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uye ngavave pakati pevanodya patafura yako; nokuti saizvozvo vakaswedera kwandiri pakutiza kwangu pachiso chaAbhusaromu mukoma wako.
  8779. 1Ki 2:8 Uye tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera muBhenjamini weBhahurimi, wakandituka nekutuka kunorwadza pazuva randaienda kuMahanayimu; asi iye wakauya kundichingamidza paJoridhani, zvino ndakamupikira naJehovha ndichiti: Handingakuurayi nemunondo.
  8780. 1Ki 2:9 Naizvozvo zvino usamurega ari asina mhosva, nokuti uri munhu wakachenjera; uye unoziva zvauchamuitira, uye uchaburusira musoro wake wachena une ropa muguva.
  8781. 1Ki 2:10 Zvino Dhavhidhi wakarara nemadzibaba ake, uye wakavigwa muguta raDhavhidhi.
  8782. 1Ki 2:11 Zvino mazuva Dhavhidhi aakatonga pamusoro paIsraeri aiva makore makumi mana. Makore manomwe wakatonga paHebhuroni, uye makore makumi matatu nematatu wakatonga paJerusarema.
  8783. 1Ki 2:12 Zvino Soromoni wakagara pachigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi. Ushe hwake ndokusimbiswa kwazvo.
  8784. 1Ki 2:13 Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakasvika kuna Bhati-Shebha mai vaSoromoni; ivo ndokuti: Unouya nerugare here? Iye ndokuti: Nerugare.
  8785. 1Ki 2:14 Iye ndokuti: Ndine shoko kwamuri. Ivo ndokuti: Taura.
  8786. 1Ki 2:15 Zvino wakati: Imwi munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, uye Israeri wose waiva akaisa zviso zvavo kwandiri kuti ndichatonga; asi ushe hwakashandurwa hukazova hwemunin’ina wangu; nokuti hwaiva hwake kubva kuna Jehovha.
  8787. 1Ki 2:16 Zvino ikozvino ndinokumbira chikumbiro chimwe kwamuri; musafuratidza chiso changu. Ivo ndokuti kwaari: Taura.
  8788. 1Ki 2:17 Iye ndokuti: Taurai henyu naSoromoni mambo (nokuti haangafuratidzi chiso chenyu) kuti andipe Abhishagi muShunami ave mukadzi wangu.
  8789. 1Ki 2:18 Bhati-Shebha ndokuti: Zvakanaka, ini ndichakutaurira kuna mambo.
  8790. 1Ki 2:19 Naizvozvo Bhati-Shebha wakaenda kuna mambo Soromoni kunotaurira Adhonia kwaari. Mambo ndokusimuka kumuchingamidza, ndokumukotamira ndokugara pachigaro chake cheushe, ndokuti kuisirwe mai vamambo chigaro; ivo vakagara kuruoko rwake rwerudyi.
  8791. 1Ki 2:20 Zvino vakati: Ndinokumbira chikumbiro chimwe chidiki kwauri; usafuratidza chiso changu. Mambo ndokuti kwavari: Kumbirai, mai vangu, nokuti handingafuratidzi chiso chenyu.
  8792. 1Ki 2:21 Zvino vakati: Abhishagi muShunami ngaapiwe Adhonia mukuru wako ave mukadzi wake.
  8793. 1Ki 2:22 Zvino mambo Soromoni wakapindura ndokuti kuna mai vake: Uye munokumbirirei Adhonia Abhishagi muShunami? Mumukumbirirewo ushe, nokuti iye mukoma wangu ari mukuru kwandiri; hongu, iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.
  8794. 1Ki 2:23 Mambo Soromoni ndokupika naJehovha achiti: Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri uye awedzere saizvozvo, zvirokwazvo Adhonia wataura shoko iri kurwisana neupenyu hwake.
  8795. 1Ki 2:24 Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, ndokundigadza pachigaro cheushe chababa vangu Dhavhidhi, uye wakandiitira imba sezvaakataura, zvirokwazvo, Adhonia uchaurawa nhasi.
  8796. 1Ki 2:25 Mambo Soromoni ndokutuma neruoko rwaBhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuwira, ndokufa.
  8797. 1Ki 2:26 Uye kuna Abhiatari mupristi, mambo wakati: Enda kuAnatoti kuminda yako, nokuti uri munhu wekufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti waitakura areka yaShe Jehovha pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pazvose baba vangu zvavakatambudzika nazvo.
  8798. 1Ki 2:27 Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari pakuva mupristi waJehovha; kuzadzisa shoko raJehovha raakataura maererano neimba yaEri paShiro.
  8799. 1Ki 2:28 Zvino shoko rakasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu waiva atendeuka kutevera Adhonia, kunyange asina kutendeuka kutevera Abhusaromu. Joabhu ndokutizira kutende raJehovha, ndokubatirira panyanga dzearitari.
  8800. 1Ki 2:29 Zvino kwakaudzwa mambo Soromoni kuti Joabhu watizira kutende raJehovha; zvino tarirai, ari parutivi rwearitari. Soromoni ndokutuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha achiti: Enda unomuwira.
  8801. 1Ki 2:30 Bhenaya ndokuenda kutende raJehovha, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva mambo: Budai! Iye ndokuti: Kwete, asi ndichafira pano. Bhenaya ndokudzosera shoko kuna mambo achiti: Ndizvo zvataura Joabhu, uye ndizvo zvaandipindura.
  8802. 1Ki 2:31 Mambo ndokuti kwaari: Ita sezvaataura, umuwire, ugomuviga muguva; kuti ubvise kwandiri nepaimba yababa vangu ropa risina mhosva Joabhu raakateura.
  8803. 1Ki 2:32 Uye Jehovha achadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakawira varume vaviri vaiva vakarurama uye vari nani kumupfuura ndokuvauraya nemunondo, uye baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi: Abhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo yaIsraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri mukuru wehondo yaJudha.
  8804. 1Ki 2:33 Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu nepamusoro wembeu yake nekusingaperi; asi kuna Dhavhidhi nekumbeu yake nekuimba yake nekuchigaro chake cheushe kuchava nerugare kusvika rinhi narinhi rwunobva kuna Jehovha.
  8805. 1Ki 2:34 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndokukwira ndokumuwira ndokumuuraya. Zvino wakavigwa muimba yake murenje.
  8806. 1Ki 2:35 Zvino mambo wakaisa Bhenaya mwanakomana waJehoyadha pachinzvimbo chake pamusoro pehondo; uye Zadhoki mupristi mambo wakamuisa pachinzvimbo chaAbhiatari.
  8807. 1Ki 2:36 Mambo ndokutuma nhume ndokudana Shimei, ndokuti kwaari: Uzvivakire imba paJerusarema, uye ugareko, usabudapo kuenda kupi nekupi.
  8808. 1Ki 2:37 Nokuti kuchati nezuva rekubuda kwako ndokuyambuka rukova Kidhironi, ziva zvirokwazvo kuti uchafa zvekufa; ropa rako richava pamusoro pemusoro wako.
  8809. 1Ki 2:38 Shimei ndokuti kuna mambo: Shoko iri rakanaka; sezvareva ishe wangu mambo, muranda wenyu achaita saizvozvo. Shimei ndokugara paJerusarema mazuva mazhinji.
  8810. 1Ki 2:39 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore matatu kuti vaviri vevaranda vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka mambo weGati. Zvino vakaudza Shimei vachiti: Tarira varanda vako vari paGati.
  8811. 1Ki 2:40 Zvino Shimei wakasimuka ndokusungirira chigaro pambongoro yake, ndokuenda kuGati kuna Akishi kunotsvaka varanda vake. Shimei ndokuenda ndokuunza varanda vake kubva paGati.
  8812. 1Ki 2:41 Zvino zvakaudzwa Soromoni kuti Shimei wakaenda kubva Jerusarema kuenda Gati, uye wakadzoka.
  8813. 1Ki 2:42 Mambo ndokutuma nhume ndokudana Shimei, ndokuti kwaari: Handina kukupikisa naJehovha here, ndikapupura kwauri ndichiti: Nezuva rekubuda kwako ukaenda kupi nekupi, uzive zvirokwazvo kuti uchafa zvekufa? Uye iwe wakati kwandiri: Shoko randanzwa rakanaka.
  8814. 1Ki 2:43 Zvino sei usina kuchengeta mhiko yaJehovha, nemurairo wandakaraira pamusoro pako?
  8815. 1Ki 2:44 Mambo wakatiwo kuna Shimei: Iwe unoziva kuipa kose moyo wako kwaunoziva kwawakaita kuna Dhavhidhi baba vangu; naizvozvo Jehovha achadzosera kuipa kwako pamusoro wako.
  8816. 1Ki 2:45 Asi mambo Soromoni acharopafadzwa, nechigaro cheushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha kusvika rinhi narinhi.
  8817. 1Ki 2:46 Naizvozvo mambo wakaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha; iye wakabuda ndokumuwira zvekuti wakafa. Naizvozvo ushe hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.
  8818. 1Ki 3:1 Zvino Soromoni wakasangana pawanano naFarao mambo weEgipita, ndokutora mukunda waFarao ndokumuunza kuguta raDhavhidhi kusvika apedza kuvaka imba yake neimba yaJehovha nerusvingo reJerusarema rwunopoteredza.
  8819. 1Ki 3:2 Zvakadaro vanhu vaipa zvibairo panzvimbo dzakakwirira, nokuti kwaiva kusina kuvakirwa zita raJehovha imba kusvika pamazuva iwawo.
  8820. 1Ki 3:3 Zvino Soromoni wakada Jehovha, achifamba muzvimiso zvaDhavhidhi baba vake; zvakadaro waibaira zvibairo nekupisa zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.
  8821. 1Ki 3:4 Zvino mambo wakaenda kuGibhiyoni kunobairapo, nokuti yaiva nzvimbo huru yakakwirira; Soromoni ndokupa zvipo zvinopiswa churu paaritari iyo.
  8822. 1Ki 3:5 PaGibhiyoni Jehovha wakazviratidza kuna Soromoni muchiroto usiku. Mwari ndokuti: Kumbira chandingakupa.
  8823. 1Ki 3:6 Soromoni ndokuti: Imwi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu tsitsi huru, sezvaakafamba pamberi penyu muchokwadi uye mukururama, uye pakuvimbika kwemoyo kwamuri; mukamuchengeterawo tsitsi idzi huru, uye makamupa mwanakomana agere pachigaro chake cheushe, sezvazviri nhasi.
  8824. 1Ki 3:7 Naizvozvo zvino Jehovha Mwari wangu, imwi makaita muranda wenyu mambo pachinzvimbo chababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwanana; handizivi kubuda kana kupinda.
  8825. 1Ki 3:8 Zvino muranda wenyu ari pakati pevanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji, vasingagoni kuverengwa kana kurahwa neuwandu.
  8826. 1Ki 3:9 Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kutonga vanhu venyu, kuti ndizive kuparadzanisa pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani anogona kutonga rudzi rwenyu urwu rwunorema?
  8827. 1Ki 3:10 Zvino chinhu ichi chaiva chakanaka pameso aIshe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi.
  8828. 1Ki 3:11 Mwari ndokuti kwaari: Nekuda kwekuti wakumbira chinhu ichi, uye hauna kuzvikumbirira mazuva mazhinji, uye hauna kuzvikumbirira fuma, uye hauna kukumbira mweya weupenyu wevavengi vako; asi wazvikumbirira kunzwisisa kunzwa mutongo;
  8829. 1Ki 3:12 tarira, ndaita zvinoenderana nemashoko ako; tarira ndakupa moyo wakachenjera uye unonzwisisa, zvekuti hakuna newakaita sewe mberi kwako, uye shure kwako hakungamuki wakaita sewe.
  8830. 1Ki 3:13 Uye ndakupawo zvausina kukumbira, zvose fuma nerukudzo, zvekuti hakungazovi neumwe pakati pemadzimambo wakaita sewe mazuva ako ose.
  8831. 1Ki 3:14 Zvino kana ukafamba nenzira dzangu, kuchengeta zvimiso zvangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndicharebesa mazuva ako.
  8832. 1Ki 3:15 Zvino Soromoni wakamuka, zvino tarira, chaiva chiroto. Zvino wakauya kuJerusarema ndokumira pamberi peareka yesungano yaIshe, ndokupa zvipo zvinopiswa, ndokupa zvipo zvekuyananisa, ndokuitira varanda vake vose mabiko.
  8833. 1Ki 3:16 Ipapo kwakasvikapo vakadzi vaviri vaiva zvifeve kuna mambo ndokumira pamberi pake.
  8834. 1Ki 3:17 Umwe mukadzi ndokuti: Haiwa ishe wangu, ini nemukadzi uyu tinogara muimba imwe; zvino ndikapona ndinaye mumba.
  8835. 1Ki 3:18 Zvino zvakaitika pazuva retatu shure kwekunge ndapona kuti mukadzi uyu wakaponawo, uye taiva pamwe, pasina mweni nesu mumba, kunze kwedu tiri vaviri mumba.
  8836. 1Ki 3:19 Zvino mwana wemukadzi uyu wakafa usiku, nokuti wakarara pamusoro pake.
  8837. 1Ki 3:20 Zvino wakamuka pakati peusiku ndokutora mwanakomana wangu kubva parutivi rwangu, murandakadzi wenyu achakarara, ndokumuradzika pachipfuva chake, ndokuradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu.
  8838. 1Ki 3:21 Pandamuka mangwanani kuyamwisa mwana wangu, zvino tarirai, wakafa; asi ndati ndichimucherekedza mangwanani, zvino tarirai, haasi mwanakomana wangu wandakabereka.
  8839. 1Ki 3:22 Zvino umwe mukadzi wakati: Kwete, asi mupenyu mwanakomana wangu, uye wakafa mwanakomana wako; uyu ndokuti: Kwete, asi wakafa mwanakomana wako, mupenyu mwanakomana wangu. Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
  8840. 1Ki 3:23 Zvino mambo wakati: Uyu anoti: Uyu mwanakomana wangu mupenyu uye mwanakomana wako ndewakafa; uye umwe anoti: Kwete, asi mwanakomana wako ndewakafa uye mwanakomana wangu mupenyu.
  8841. 1Ki 3:24 Mambo ndokuti: Nditorerei munondo. Zvino vakaunza munondo pamberi pamambo.
  8842. 1Ki 3:25 Mambo ndokuti: Pamurai mwana mupenyu kuita mapandi maviri, uye mupe umwe hafu, neumwe hafu.
  8843. 1Ki 3:26 Zvino mukadzi waiva wemwanakomana mupenyu wakataura kuna mambo, nokuti ura hwake hwakamunzwira pamusoro pemwanakomana wake, zvino wakati: Haiwa, ishe wangu, mupei mwana mupenyu, uye musatongomuuraya. Asi umwe wakati: Ngaarege kuva wangu kana wako, pamurai.
  8844. 1Ki 3:27 Zvino mambo wakapindura ndokuti: Ipai iye mwana mupenyu, musatongomuuraya; ndiye mai vake.
  8845. 1Ki 3:28 Zvino Israeri wose wakanzwa mutongo mambo waakatonga, ndokutya pamberi pamambo; nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaMwari hwaiva maari kuita mutongo.
  8846. 1Ki 4:1 Zvino mambo Soromoni wakava mambo pamusoro paIsraeri wose.
  8847. 1Ki 4:2 Zvino awa ndiwo machinda aaiva nawo: Azariya mwanakomana waZadhoki waiva mupristi;
  8848. 1Ki 4:3 Erihorefi naAhija vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wenhoroondo;
  8849. 1Ki 4:4 naBhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro pehondo; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
  8850. 1Ki 4:5 naAzariya mwanakomana waNatani waiva pamusoro pevatariri; naZabhudhi mwanakomana waNatani waiva mupristi, shamwari yamambo.
  8851. 1Ki 4:6 Abhishari waiva pamusoro peimba; naAdhoniramu mwanakomana waAbhidha waiva pamusoro pemutero.
  8852. 1Ki 4:7 Zvino Soromoni waiva nevatariri gumi nevaviri pamusoro paIsraeri wose, vaitsvakira mambo neimba yake zvekudya; mwedzi pagore waiva paumwe neumwe kutsvaka zvekudya.
  8853. 1Ki 4:8 Zvino awa mazita avo: Bheni-Huri pamakomo aEfuremu;
  8854. 1Ki 4:9 Bheni-Dhekeri paMakazi, nepaSharibhimi, neBheti-Shemeshi, neEroni-Bheti-Hanani;
  8855. 1Ki 4:10 Bheni-Hesedhi paArubhoti; iye waiva neSokoho, nenyika yose yeHeferi;
  8856. 1Ki 4:11 Bheni-Abhinadhabhi panyika yose yeDhori; Tafati mukunda waSoromoni waiva mukadzi wake;
  8857. 1Ki 4:12 Bhaana mwanakomana waAhirudhi paTaanaki, neMegidho, neBheti-Sheani rose, iri paZaretani pazasi peJezireeri, kubva paBheti-Sheani kusvika paAbheri-Mehora kusvika mhiri kweJokimeami;
  8858. 1Ki 4:13 Bheni-Gebheri paRamoti-Giriyadhi; waiva nemisha yaJairi mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye waiva nedunhu reArigobhi iri paBhashani, maguta makuru makumi matanhatu aiva nemasvingo ane mazariro endarira;
  8859. 1Ki 4:14 Ahinadhabhi mwanakomana waIdho paMahanayimu;
  8860. 1Ki 4:15 Ahimaazi paNafutari; iyewo wakatora Bhasemati mukunda waSoromoni kuva mukadzi;
  8861. 1Ki 4:16 Bhaana mwanakomana waHushai paAsheri nepaAroti;
  8862. 1Ki 4:17 Josafati mwanakomana waParua paIsasikari;
  8863. 1Ki 4:18 Shimei mwanakomana waEra paBhenjamini;
  8864. 1Ki 4:19 Gebheri mwanakomana waUri panyika yeGiriyadhi, nyika yaSihoni mambo wevaAmori neyaOgi mambo weBashani; uye waiva iye ega mutariri waiva panyika iyo.
  8865. 1Ki 4:20 Judha naIsraeri vaiva vazhinji sejecha riri pagungwa pauwandu, vachidya, vachinwa, vachifara.
  8866. 1Ki 4:21 Zvino Soromoni wakatonga pamusoro peushe hwose kubva parwizi kusvika kunyika yevaFirisitia nekusvika kumuganhu weEgipita; vakauya nezvipo uye vaishandira Soromoni mazuva ose eupenyu hwake.
  8867. 1Ki 4:22 Zvino zvekudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero makumi matatu zveupfu hwakatsetseka, nezviyero makumi matanhatu zveupfu,
  8868. 1Ki 4:23 nzombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzekumafuro, nemakwai zana, kunze kwenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.
  8869. 1Ki 4:24 Nokuti wakatonga pamusoro pechekuno kose kwerwizi, kubva paTifisa kusvika paGaza, pamusoro pemadzimambo ose nechekuno kwerwizi; uye wakava nerugare kunhivi dzake dzose dzaiva dzakapoteredza.
  8870. 1Ki 4:25 Zvino Judha naIsraeri vakagara pakadzivirirwa, umwe neumwe pazasi pemuzambiringa wake nepazasi pemuonde wake, kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha, mazuva ose aSoromoni.
  8871. 1Ki 4:26 Soromoni waiva nezvidyiro zvuru makumi mana zvemabhiza engoro dzake, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri.
  8872. 1Ki 4:27 Zvino vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvekudya, newose waiswedera patafura yamambo Soromoni, umwe neumwe pamwedzi wake; havana kusiya kuchishaikwa chinhu.
  8873. 1Ki 4:28 Bhariwo nemajanga emabhiza nemabhiza aimhanyisa vakauisa panzvimbo yazvaifanira kuva, umwe neumwe sezvaakatongerwa.
  8874. 1Ki 4:29 Mwari ndokupa Soromoni njere nekunzwisisa kukuru kwazvo, neupamhi hwemoyo, sejecha riri pamahombekombe egungwa.
  8875. 1Ki 4:30 Zvino njere dzaSoromoni dzakapfuura njere dzevose vanakomana vemabvazuva, nedzakapfuura njere dzose dzevaEgipita.
  8876. 1Ki 4:31 Nokuti waiva akachenjera kupfuura vanhu vese; kupfuura Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vanakomana vaMahori; uye zita rake rakava kundudzi dzose dzaiva dzakapoteredza.
  8877. 1Ki 4:32 Zvino wakataura tsumo zvuru zvitatu, uye nziyo dzake dzaiva churu neshanu.
  8878. 1Ki 4:33 Zvino wakataura zvemiti, kubva pamusidhari uri paRebhanoni kusvika pamuhisopi unobuda parusvingo; akataurawo zvemhuka, nezveshiri, nezvezvinokambaira, nezvehove.
  8879. 1Ki 4:34 Zvino kwakasvika kubva kumarudzi ose kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni, kubva kumadzimambo ose enyika vakanzwa zvekuchenjera kwake.
  8880. 1Ki 5:1 Zvino Hiramu mambo weTire wakatuma varanda vake kuna Soromoni, nokuti waiva anzwa kuti vakamuzodza kuva mambo pachinzvimbo chababa vake; nokuti Hiramu waida Dhavhidhi mazuva ose.
  8881. 1Ki 5:2 Zvino Soromoni wakatuma nhume kuna Hiramu achiti:
  8882. 1Ki 5:3 Imwi munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu vaiva vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba nekuda kwehondo mavaiva vakamukomba madziri, kusvika Jehovha avaisa pasi pechitsiko chetsoka dzake.
  8883. 1Ki 5:4 Asi ikozvino Jehovha Mwari wangu wakandipa zororo kumativi ose. Hakuna muvengi uye hakuna chakaipa chinoitika.
  8884. 1Ki 5:5 Zvino tarirai, ndakazvipira kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, Jehovha sezvaakataura kuna baba vangu Dhavhidhi, achiti: Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako cheushe pachinzvimbo chako ndiye achavakira zita rangu imba.
  8885. 1Ki 5:6 Zvino ikozvino, rairai kuti vanditemere misidhari kubva kuRebhanoni. Zvino varanda vangu vachava pamwe nevaranda venyu; uye kwamuri ndichapa mubairo wevaranda venyu sezvose zvamuchareva; nokuti imwi munoziva kuti pakati pedu hapana munhu anoziva kutema matanda sevaSidhoni.
  8886. 1Ki 5:7 Zvino zvakaitika Hiramu paakanzwa mashoko aSoromoni, kuti wakafara kwazvo, ndokuti: Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakachenjera pamusoro perudzi urwu rukuru.
  8887. 1Ki 5:8 Hiramu ndokutuma nhume kuna Soromoni achiti: Ndanzwa zvamanditumira; ini ndichaita zvishuwo zvenyu zvose maererano nematanda emisidhari nemaererano nematanda emisipiresi.
  8888. 1Ki 5:9 Varanda vangu vachaaburusa kubva kuRebhanoni kuenda kugungwa; uye ini ndichaaisa mumakwande ekuyeredza negungwa kuenda kunzvimbo yamuchatuma kwandiri, uye ndichaasunungurira ipapo; uye imwi muchatorerapo, imwi muchaita chishuwo changu nekupa veimba yangu zvekudya.
  8889. 1Ki 5:10 Naizvozvo Hiramu wakapa Soromoni matanda emisidhari nematanda emisipiresi, chishuwo chake chose.
  8890. 1Ki 5:11 Zvino Soromoni wakapawo kuna Hiramu zviyero zvuru makumi maviri zvezviyo zvive zvekudya zveveimba yake, nezviyero makumi maviri zvemafuta akatakiwa. Saizvozvo Soromoni wakapa Hiramu gore negore.
  8891. 1Ki 5:12 Zvino Jehovha wakapa Soromoni njere sezvaaiva ataura kwaari; uye pakava nerugare pakati paHiramu naSoromoni; vakaita sungano vari vaviri.
  8892. 1Ki 5:13 Mambo Soromoni akasimudza vanhu vechibharo pakati paIsraeri wese; zvino vanhu vechibharo vaiva vanhu zvuru makumi matatu.
  8893. 1Ki 5:14 Akavatumira Rebhanoni, mwedzi umwe neumwe zvuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi umwe, kumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye waiva pamusoro pevanhu vechibharo.
  8894. 1Ki 5:15 Uye Soromoni waiva nevatakuri vemitoro zvuru makumi manomwe, nevatemi zvuru makumi masere pamakomo;
  8895. 1Ki 5:16 vasingaverengwi madzishe evatariri vaSoromoni, vaiva pamusoro pebasa, zvuru zvitatu nemazana matatu, vaiva pamusoro pevanhu vaibata pabasa.
  8896. 1Ki 5:17 Mambo akaraira, vakaunza mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba nemabwe akavezwa.
  8897. 1Ki 5:18 Vavaki vaSoromoni nevavaki vaHiramu nevaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda nemabwe kuzovaka imba.
  8898. 1Ki 6:1 Zvino zvakaitika pagore remazana mana nemakumi masere shure kwekubuda kwevana vaIsraeri panyika yeEgipita, pagore rechina rekutonga kwaSoromoni pamusoro paIsraeri, mumwedzi waZifi unova mwedzi wechipiri, wakavaka imba yaJehovha.
  8899. 1Ki 6:2 Zvino imba mambo Soromoni yaakavakira Jehovha, kureba kwayo kwaiva makubhiti makumi matanhatu, uye upamhi hwayo maviri, nekukwirira kwayo makubhiti makumi matatu.
  8900. 1Ki 6:3 Uye berere pamberi petembere yeimba, kureba kwaro kwaiva makubhiti makumi maviri zvichienderana neupamhi hweimba; upamhi hwaro hwaiva makubhiti gumi pamberi peimba.
  8901. 1Ki 6:4 Zvino wakaitira imba mahwindo matete akavharwa ebasa rezvirukwa zvezvitanda.
  8902. 1Ki 6:5 Zvino wakavaka makamuri pachidziro cheimba kumativi ose, madziro eimba kunhivi dzose, etembere uye enzvimbo yeshoko; ndokuita makamuri parutivi kupoteredza.
  8903. 1Ki 6:6 Zvino kamuri raiva pasi peose, upamhi hwaro hwaiva makubhiti mashanu, uye riri pakati, upamhi hwaro hwaiva makubhiti matanhatu, neretatu, upamhi hwaro makubhiti manomwe. Nokuti wakaita zvitakuriso zveimba kupoteredza kunze, kuti matanda arege kupfekera mumadziro eimba.
  8904. 1Ki 6:7 Zvino imba ichiri kuvakwa, yakavakwa nemabwe akaperedzerwa pakuvezwa, kuti kusanzwikwa nyundo kana sanhu kana nhumbi ipi neipi yedare muimba ichiri kuvakwa.
  8905. 1Ki 6:8 Mukova wekamuri riri kurutivi rwepakati waiva kurutivi rwerudyi rweimba. Zvino vaikwira nezvikwiriso zvinomonereka kuenda kukamuri repakati, uye kubva pane repakati kuenda kune retatu.
  8906. 1Ki 6:9 Zvino wakavaka imba ndokuipedza; ndokufukidza imba nematanda uye nemapuranga emisidhari.
  8907. 1Ki 6:10 Zvino wakavaka makamuri kurutivi rweimba yese; makubhiti mashanu kukwirira kwawo, neekupfekera paimba nematanda emisidhari.
  8908. 1Ki 6:11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti:
  8909. 1Ki 6:12 Kana iri imba iyi yaunovaka, kana ukafamba nezvimiso zvangu, uye ukaita mitongo yangu, uye ukachengeta mirairo yangu yose kufamba nayo, ndichaita shoko rangu kwauri, randakataura kuna Dhavhidhi baba vako;
  8910. 1Ki 6:13 uye ndichagara pakati pevana vaIsraeri, uye handingarasi vanhu vangu Israeri.
  8911. 1Ki 6:14 Naizvozvo Soromoni wakavaka imba ndokuipedza.
  8912. 1Ki 6:15 Zvino wakavaka madziro eimba mukati nemapuranga emusidhari; kubva pasi peimba kusvika pamadziro edenga wakawaridza mukati nemapuranga, ndokuwaridza pasi peimba nemapuranga emusipiresi.
  8913. 1Ki 6:16 Zvino wakavaka makubhiti makumi maviri kumativi eimba nemapuranga emusidhari kubva pasi kusvika pamadziro; akaivakawo nechemukati, achiitira nzvimbo yeshoko, achiitira nzvimbo tsvene-tsvene.
  8914. 1Ki 6:17 Zvino imba, iyo tembere yaiva pamberi, yaiva makubhiti makumi mana.
  8915. 1Ki 6:18 Zvino musidhari weimba mukati waiva wakavezwa nemafundo nemaruva akazaruka; zvose zviri musidhari, kwaiva kusingaonekwi ibwe.
  8916. 1Ki 6:19 Zvino wakagadzira nzvimbo yeshoko mumba mukati, kuisapo areka yesungano yaJehovha.
  8917. 1Ki 6:20 Zvino nzvimbo yeshoko yaiva pamberi yaiva makubhiti makumi maviri pakureba uye makubhiti makumi maviri paupamhi uye makubhiti makumi maviri pakukwirira kwayo; zvino wakaiputira negoridhe rakaisvonaka; nearitari wakaifukidza nemusidhari.
  8918. 1Ki 6:21 Zvino Soromoni wakadzudzura imba nechemukati mayo negoridhe rakaisvonaka; ndokupfuudza maketani egoridhe pamberi penzvimbo yeshoko, ndokuidzudzura negoridhe.
  8919. 1Ki 6:22 Zvino wakadzudzura imba yose negoridhe kusvika apedza imba yese; akadzudzurawo negoridhe aritari yose yaiva panzvimbo yeshoko.
  8920. 1Ki 6:23 Zvino wakaita mukati menzvimbo yeshoko makerubhi maviri emuti wemuorivhi, kukwirira kwerimwe nerimwe makubhiti gumi.
  8921. 1Ki 6:24 Rimwe bapiro rekerubhi raiva makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rekerubhi raiva makubhiti mashanu; kubva pamicheto yebapiro raro rimwe kusvika pamicheto yebapiro raro rimwe aiva makubhiti gumi.
  8922. 1Ki 6:25 Uye rimwe kerubhi raiva makubhiti gumi; makerubhi ari maviri aiva nechiyero chimwe nechimiro chimwe.
  8923. 1Ki 6:26 Kukwirira kwerimwe kerubhi kwaiva makubhiti gumi, uye saizvozvo rimwe kerubhi.
  8924. 1Ki 6:27 Zvino wakaisa makerubhi mukati meimba yemukati; uye makerubhi akatandavadza mapapiro zvekuti bapiro rerimwe rakabata madziro, uye bapiro rerimwe rekerubhi rakabata amwe madziro; uye mapapiro awo ndokugunzvana bapiro nebapiro pakati peimba.
  8925. 1Ki 6:28 Zvino wakadzudzura makerubhi negoridhe.
  8926. 1Ki 6:29 Uye wakafombora madziro ose eimba kunhivi dzose mifananidzo yakafomborwa yemakerubhi nemiti yemichindwe nemaruva akazaruka, mukati nekunze.
  8927. 1Ki 6:30 Nepasi peimba wakadzudzura negoridhe, mukati nekunze.
  8928. 1Ki 6:31 Zvino wakaitira mukova wenzvimbo yeshoko magonhi emuti wemuorivhi; chivivo chepamusoro nemagwatidziro zvakabudikira pacheshanu chemudhuri.
  8929. 1Ki 6:32 Uye magonhi maviri aiva emuti wemuorivhi, ndokuafombora mifomborwa yemakerubhi, nemiti yemichindwe, nemaruva akazaruka, ndokuzvidzudzura negoridhe; ndokupambadzira goridhe pamusoro pemakerubhi nepamusoro pemiti yemichindwe.
  8930. 1Ki 6:33 Saizvozvowo wakaitira mukova wetembere magwatidziro emuti wemuorivhi, pamativi mana.
  8931. 1Ki 6:34 Nemagonhi maviri emuti wemusipiresi; mativi maviri egonhi rimwe aipeteka, uye mapenga maviri egonhi repiri aipeteka.
  8932. 1Ki 6:35 Zvino wakafomborerapo makerubhi nemiti yemichindwe nemaruva akazaruka; akazvidzudzura negoridhe rakapambadzirwa zvakanaka pamusoro pezvakavezwa.
  8933. 1Ki 6:36 Zvino wakavaka chivanze chemukati nemitsara mitatu yemabwe akavezwa, nemusara wematanda emusidhari.
  8934. 1Ki 6:37 Negore rechina nheyo dzeimba yaJehovha dzakadzikwa, nemwedzi waZivi.
  8935. 1Ki 6:38 Zvino mugore regumi nerimwe, nemwedzi waBhuri, uri mwedzi werusere, imba yakapera pazvinhu zvayo zvose, uye zvichienderana nekumiswa kwayo kose. Naizvozvo wakaivaka makore manomwe.
  8936. 1Ki 7:1 Asi imba yake Soromoni wakaivaka makore gumi nematatu, ndokupedza imba yake yose.
  8937. 1Ki 7:2 Wakavakawo imba yesango reRebhanoni. Urefu hwayo hwaiva makubhiti zana, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi mashanu, nekukwirira kwayo kwaiva makubhiti makumi matatu, pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, nematanda emisidhari pamusoro pembiru.
  8938. 1Ki 7:3 Zvino yaiva yakafukidzwa nemisidhari kumusoro, pamusoro pemakamuri aiva pamusoro pembiru, makumi mana nemashanu, gumi nemashanu pamusara.
  8939. 1Ki 7:4 Uye kwaiva nemitsara mitatu yemahwindo, uye chiedza chakatarisana nechiedza, katatu.
  8940. 1Ki 7:5 Zvino mikova yose uye magwatidziro zvaiva nemativi mana akaenzana, ane mahwindo; uye chiedza chakatarisana nechiedza, katatu.
  8941. 1Ki 7:6 Wakaita berere rembiru; urefu hwaro hwaiva makubhiti makumi mashanu, uye upamhi hwaro hwaiva makubhiti makumi matatu; neberere pamberi padzo, nembiru nechikumbaridzo pamberi padzo.
  8942. 1Ki 7:7 Zvino wakaita berere rechigaro cheushe paanotongera, berere rekutonga; raiva rakafukidzwa nemusidhari kubva pasi kusvika pasi.
  8943. 1Ki 7:8 Neimba yake yaaigara, chimwe chivanze mukati meberere, yaiva yakafanana nebasa iri. Wakaitirawo mukunda waFarao, Soromoni waaiva awana, imba, yakafanana neberere iri.
  8944. 1Ki 7:9 Idzi dzose dzaiva mabwe anokosha akavezwa zvichienderana nezviyero, akachekwa nesaha mukati nekunze, uye kubva panheyo kusvika kumabwe ekumusoro, uye kubva kunze kusvika kuchivanze chikuru.
  8945. 1Ki 7:10 Zvino nheyo dzaiva dzakaitwa dzemabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe emakubhiti gumi, nemabwe emakubhiti masere.
  8946. 1Ki 7:11 Zvino kumusoro kwaiva nemabwe anokosha akavezwa zvinoenderana nezviyero, nemusidhari.
  8947. 1Ki 7:12 Zvino chivanze chikuru chakapoteredza chaiva mitsara mitatu yemabwe akavezwa, nemusara wematanda emisidhari. Zvaiva zvakadaro nechivanze chemukati cheimba yaJehovha, uye neberere reimba.
  8948. 1Ki 7:13 Zvino mambo Soromoni wakatuma nhume ndokutora Hiramu kubva kuTire.
  8949. 1Ki 7:14 Iye waiva mwanakomana wemukadzi chirikadzi yerudzi rwaNafutari, uye baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; uye waiva akazadzwa nenjere nekunzwisisa neruzivo rwekuita basa ripi neripi nendarira. Zvino wakauya kuna mambo Soromoni, ndokuita basa rake rose.
  8950. 1Ki 7:15 Zvino wakaumba mbiru mbiri dzendarira; urefu hweimwe mbiru hwaiva makubhiti gumi nemasere; nerwonzi rwaiva makubhiti gumi nemaviri kupoteredza imwe mbiru.
  8951. 1Ki 7:16 Zvino wakaita misoro miviri yendarira yakanyunguduswa kuisa pamusoro wembiru; kukwirira kwemusoro umwe kwaiva makubhiti mashanu, uye kukwirira kweumwe musoro kwaiva makubhiti mashanu.
  8952. 1Ki 7:17 Mimbure iri basa rakarukwa, tambo dzakarukwa dzaiva basa remaketani, kuitira misoro iri pamusoro wembiru; minomwe pamusoro umwe uye minomwe pane umwe musoro.
  8953. 1Ki 7:18 Zvino wakaita mbiru mbiri nemitsara miviri kupoteredza pachirukwa chimwe kufukidza misoro yaiva pamusoro wemapomegiranati. Zvino saizvozvo wakaitira umwe musoro.
  8954. 1Ki 7:19 Zvino misoro yaiva pamusoro wembiru yaiva basa remaruva emusipiti muberere, makubhiti mana.
  8955. 1Ki 7:20 Zvino misoro yaiva pambiru mbiri nepamusoro pakatarisana nedumbu raiva pedo nemumbure; nemapomegiranati aiva mazana maviri aiva pamitsara yakapoteredza, pamusoro peumwe musoro.
  8956. 1Ki 7:21 Zvino wakamisa mbiru paberere retembere; ndokumisa mbiru yerudyi, ndokutumidza zita rayo Jakini; ndokumisa mbiru yeruboshwe, ndokutumidza zita rayo Bhowasi.
  8957. 1Ki 7:22 Zvino pamusoro wembiru paiva nebasa remaruva emusipiti; zvino basa rembiru rakapedzwa.
  8958. 1Ki 7:23 Zvino wakaita gungwa rakanyunguduswa; makubhiti gumi kubva kumupendero waro kusvika kumupendero waro, kutenderera kupoteredza, uye urefu hwaro hwaiva makubhiti mashanu; uye rwonzi rwemakubhiti makumi matatu rwakakomba kupoteredza.
  8959. 1Ki 7:24 Zvino pasi pemupendero waro paiva nemafundo akaripoteredza kuritenderedza, ari gumi pakubhiti, kupoteredza gungwa kuritenderedza; mitsara miviri yemafundo yakaumbwa nekunyungudusa pakuumbwa kwawo nekunyungudusa.
  8960. 1Ki 7:25 Rakamira pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzaiva dzakatarisa kumaodzanyemba, uye nhatu dzakatarisa kumavirazuva, uye nhatu dzakatarisa kuchamhembe, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva, uye gungwa raiva pamusoro padzo pamusoro, uye shure kwadzo kose kwaiva nechemukati.
  8961. 1Ki 7:26 Zvino ukobvu hwaro hwaiva upamhi hwechanza, uye mupendero waro waiva wakafanana nebasa remupendero wemukombe, seruva remusipiti; raiva rine mabhati zvuru zviviri mukati.
  8962. 1Ki 7:27 Wakaitawo zvigadziko gumi zvendarira; urefu hwechigadziko chimwe hwaiva makubhiti mana, nemakubhiti mana upamhi hwacho, nemakubhiti matatu kukwirira kwacho.
  8963. 1Ki 7:28 Zvino iri raiva basa rezvigadziko: Zvaiva nemipendero; uye mipendero yaiva pakati pezvibatanidzi.
  8964. 1Ki 7:29 Zvino pamusoro pemipendero yaiva pakati pezvibatanidzi paiva neshumba, nzombe, nemakerubhi; nepamusoro pezvibatanidzi paiva nechigadziko pamusoro; uye pasi peshumba nenzombe paiva nezvirukwa zvemaruva zvebasa rakapfurwa.
  8965. 1Ki 7:30 Zvino chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemavhiri mana endarira nemaekisera endarira; uye makona acho mana aiva nemafudzi; pasi pedhishi rekugezera paiva nemafudzi akaumbwa nekunyunguduswa kurutivi rwechirukwa chemaruva ichi neichi.
  8966. 1Ki 7:31 Zvino muromo wawo pakati pemusoro nechekumusoro waiva kubhiti; nemuromo wawo waiva wakapoteredza, basa rechigadziko, kubhiti nehafu yekubhiti; uyewo pamusoro pemuromo wawo paiva nezvakavezwa, uye mipendero yawo yaiva mativi mana akaenzana, kwete denderedzwa.
  8967. 1Ki 7:32 Uye mavhiri mana aiva pasi pemipendero, uye maekisera emavhiri aiva pachigadziko; uye kukwirira kwevhiri rimwe kwaiva kubhiti nehafu yekubhiti.
  8968. 1Ki 7:33 Zvino basa remavhiri raiva sebasa revhiri rengoro; maekisera awo nemarimu awo nemasipokisi awo nemahabhu awo zvaiva zvakaumbwa nekunyungudusa.
  8969. 1Ki 7:34 Zvino paiva nemafudzi mana pamakona ari mana echigadziko chimwe; mafudzi acho achibva pachigadziko.
  8970. 1Ki 7:35 Zvino pamusoro wechigadziko paiva nekukwirira hafu yekubhiti kutenderedza kupoteredza; uye pamusoro pechigadziko zvitsigiro zvacho nemipendero yacho zvichibva pachiri.
  8971. 1Ki 7:36 Zvino pamusoro pemapuranga ezvitsigiro zvayo uye pamusoro pemipendero yazvo wakaveza makerubhi, shumba, nemiti yemichindwe, zvakaringana nenzvimbo yazvo yose isina chinhu, nezvirukwa zvemaruva kunhivi dzose.
  8972. 1Ki 7:37 Wakaita saizvozvo zvigadziko gumi; zvose zvaiva zvine kuumbwa kumwe, chiyero chimwe, chimiro chimwe.
  8973. 1Ki 7:38 Zvino wakaita madhishi ekugezera endarira gumi; dhishi rekugezera rimwe nerimwe raipinda mabhati makumi mana; dhishi rekugezera rimwe nerimwe raiva makubhiti mana; dhishi rekugezera rimwe raiva pamusoro pechimwe nechimwe chezvigadziko gumi.
  8974. 1Ki 7:39 Zvino wakaisa zvigadziko zvishanu kurutivi rwerudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rweruboshwe rweimba; ndokuisa gungwa kurutivi rwerudyi rweimba nechekumabvazuva pakatarisana nekuchamhembe.
  8975. 1Ki 7:40 Hiramu ndokuita madhishi ekugezera nemafoshoro nembiya. Hiramu ndokupedza kuita mabasa ose aakaitira mambo Soromoni paimba yaJehovha:
  8976. 1Ki 7:41 Mbiru mbiri, nembiya dzemisoro yaiva pamusoro wembiru mbiri; uye mimbure miviri kufukidza mbiya mbiri dzemisoro yaiva pamusoro wembiru;
  8977. 1Ki 7:42 nemapomegiranati mazana mana emimbure miviri, mitsara miviri yemapomegiranati pamumbure umwe, kufukidza mbiya mbiri dzemisoro yaiva pamusoro pembiru;
  8978. 1Ki 7:43 nezvigadziko gumi, nemadhishi ekugezera gumi pamusoro pezvigadziko;
  8979. 1Ki 7:44 negungwa rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pegungwa;
  8980. 1Ki 7:45 nehari, nemafoshoro, nembiya, nenhumbi idzi dzose Hiramu wakadziitira mambo Soromoni paimba yaJehovha, dzaiva dzendarira yakakwenenzverwa.
  8981. 1Ki 7:46 Mambo wakadziumba nekunyungudusa mubani raJoridhani, pavhu rekuumba pakati peSukoti neZaretani.
  8982. 1Ki 7:47 Zvino Soromoni wakasiya midziyo yose isina kuyerwa nekuda kweuwandu ukuru kwazvo; uremu hwendarira hahuna kutsvagwa.
  8983. 1Ki 7:48 Soromoni ndokuita nhumbi dzose dzaiva dzeimba yaJehovha: Aritari yegoridhe, netafura yegoridhe paiva nezvingwa zvekuratidza;
  8984. 1Ki 7:49 nezvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakazara, zvishanu kurutivi rwerudyi, nezvishanu kurutivi rweruboshwe, pamberi penzvimbo yeshoko; nemaruva, nemwenje, nembato dzegoridhe;
  8985. 1Ki 7:50 nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvemoto zvegoridhe rakazara; nezvibato zvegoridhe zvemagonhi eimba yemukati, zvenzvimbo tsvene-tsvene, zvemagonhi eimba yetembere.
  8986. 1Ki 7:51 Zvino basa rose rakapera mambo Soromoni ravakaitira imba yaJehovha. Soromoni ndokupinza zvinhu zvakaitwa zvitsvene zvaDhavhidhi baba vake; sirivha negoridhe nemidziyo akazviisa pafuma yeimba yaJehovha.
  8987. 1Ki 8:1 Panguva iyoyo Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsraeri, misoro yose yemarudzi, machinda emadzibaba evana vaIsraeri, kuenda kuna mambo Soromoni paJerusarema, kuti vakwidze areka yesungano yaJehovha kubva muguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
  8988. 1Ki 8:2 Varume vose vaIsraeri ndokuungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, unova mwedzi wechinomwe.
  8989. 1Ki 8:3 Vakuru vose vaIsraeri ndokuuya; vapristi vakasimudza areka.
  8990. 1Ki 8:4 Zvino vakakwidza areka yaJehovha, netende rekusangana, nemidziyo yose mitsvene yaiva mutende; vapristi nevaRevhi vakakwidzawo izvozvo.
  8991. 1Ki 8:5 Zvino mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakaunganira kwaari, vaiva naye pamberi peareka, vachibaira makwai nenzombe, zvisingagoni kuraviwa kana kuverengwa neuwandu.
  8992. 1Ki 8:6 Zvino vapristi vakapinza areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo yeshoko yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, pazasi pemapapiro emakerubhi.
  8993. 1Ki 8:7 Nokuti makerubhi akatandavadza mapapiro maviri pamusoro penzvimbo yeareka; makerubhi ndokufukidza areka nezvibatiso zvayo kubva kumusoro.
  8994. 1Ki 8:8 Zvino vakarebesa zvibatiso kuti misoro yezvibatiso ionekere panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo yeshoko; asi yaiva isingaonekeri nechekunze; uye aripo kusvika nhasi.
  8995. 1Ki 8:9 Muareka maiva musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri emabwe, Mozisi aaiva aisamo paHorebhu, Jehovha paakaitapo sungano nevana vaIsraeri pakubuda kwavo panyika yeEgipita.
  8996. 1Ki 8:10 Zvino zvakaitika pakubuda kwevapristi kubva panzvimbo tsvene, kuti gore rakazadza imba yaJehovha.
  8997. 1Ki 8:11 Naizvozvo vapristi vaiva vasingagoni kumira kuti vashumire nekuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.
  8998. 1Ki 8:12 Panguva iyoyo Soromoni akati: Jehovha wakati achagara murima gobvu.
  8999. 1Ki 8:13 Ndakuvakirai zvekukuvakirai imba yenzvimbo yekugara, nzvimbo yakamiswa yekugara kwenyu rinhi narinhi.
  9000. 1Ki 8:14 Zvino mambo akatendeudza chiso chake, ndokuropafadza ungano yose yaIsraeri; uye ungano yose yaIsraeri yaiva yakasimuka.
  9001. 1Ki 8:15 Zvino wakati: Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakataura nemuromo wake kuna Dhavhidhi baba vangu, uye akazadzisa neruoko rwake, achiti:
  9002. 1Ki 8:16 Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muEgipita, handina kusarudza guta kubva pamarudzi ose aIsraeri kuvaka imba, kuti zita rangu rivepo; asi ndakasarudza Dhavhidhi ave pamusoro pevanhu vangu Israeri.
  9003. 1Ki 8:17 Zvino zvaiva mumoyo maDhavhidhi baba vangu kuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.
  9004. 1Ki 8:18 Zvino Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu: Sezvo zvanga zviri mumoyo mako kuvakira zita rangu imba, waita zvakanaka kuti zvanga zviri mumoyo mako.
  9005. 1Ki 8:19 Zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako achabuda muchiuno chako, iye achavakira zita rangu imba.
  9006. 1Ki 8:20 Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ndamuka pachinzvimbo chaDhavhidhi baba vangu, ndokugara pachigaro cheushe chaIsraeri, Jehovha sezvaakataura, uye ndavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.
  9007. 1Ki 8:21 Zvino ndaisamo nzvimbo yeareka mune sungano yaJehovha yaakaita nemadzibaba edu paakavabudisa panyika yeEgipita.
  9008. 1Ki 8:22 Zvino Soromoni wakamira pamberi pearitari yaJehovha pakatarisana neungano yose yaIsraeri, ndokutandavadzira maoko ake kumatenga,
  9009. 1Ki 8:23 ndokuti: Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna Mwari wakaita semwi kumatenga kumusoro kana panyika pasi, anochengeta sungano netsitsi nevaranda venyu vanofamba pamberi penyu nemoyo yavo yose.
  9010. 1Ki 8:24 Makachengetera muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvamakataura kwaari; uye makataura nemuromo wenyu, ndokuzvizadzisa neruoko rwenyu, sanhasi.
  9011. 1Ki 8:25 Naizvozvo ikozvino, Jehovha Mwari waIsraeri, chengetedzerai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvamakamutaurira muchiti: Hakungashaikwi munhu kwauri pamberi pangu achagara pachigaro cheushe chaIsraeri, koga kana vana vako vakachengeta nzira yavo kufamba pamberi pangu sezvawakafamba pamberi pangu.
  9012. 1Ki 8:26 Zvino ikozvino, Mwari waIsraeri, dai shoko renyu rasimbiswa ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
  9013. 1Ki 8:27 Asi zvirokwazvo Mwari achagara panyika here? Tarira, matenga, nematenga ematenga haangakutakurii; kuzoti idiki sei imba ino yandakavaka!
  9014. 1Ki 8:28 Zvakadaro tendeukirai kumunyengetero wemuranda wenyu, nekukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, kuti munzwe kuchema nekumunyengetero muranda wenyu waanonyengetera pamberi penyu nhasi.
  9015. 1Ki 8:29 Kuti meso enyu azarurikire imba iyi siku nesikati, nzvimbo yamakati nezvayo: Zita rangu richavapo; kuteerera kumunyengetero muranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.
  9016. 1Ki 8:30 Zvino inzwai kukumbira kwemuranda wenyu nekwevanhu venyu Israeri pavanonyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Hongu inzwai imwi muri panzvimbo yenyu yekugara kumatenga, uye pamunonzwa muregerere.
  9017. 1Ki 8:31 Kana munhu upi neupi atadzira umwe wake, mhiko ikaiswa pamusoro pake kuti amupikise, uye mhiko iuye pamberi pearitari yenyu muimba ino,
  9018. 1Ki 8:32 zvino inzwai imwi muri kumatenga, mugoita mugotonga varanda venyu, muti wakaipa wakaipa, kupa nzira yake kumusoro wake, uye kururamisira wakarurama, kumupa zvinoenderana nekururama kwake.
  9019. 1Ki 8:33 Kana vanhu venyu Israeri vakarohwa pamberi pemuvengi, nokuti vakutadzirai, zvino vakadzokera kwamuri ndokutenda zita renyu ndokunyengetera, uye vakaita chikumbiro kwamuri muimba ino,
  9020. 1Ki 8:34 zvino inzwai imwi muri kumatenga, mugoregerera chivi chevanhu venyu Israeri, mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo.
  9021. 1Ki 8:35 Kana matenga akavharwa, zvino kukasava nemvura, nokuti vakakutadzirai, kana vakanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, pamunovatambudza,
  9022. 1Ki 8:36 zvino inzwai imwi muri kumatenga, mugoregerera chivi chevaranda venyu nechevanhu venyu Israeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavangafamba nayo, uye mupe mvura panyika yenyu yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka.
  9023. 1Ki 8:37 Kana pakava nenzara panyika, kana pane denda, kuvhuvha, kufunuka, mhashu, kana kune mhondoro, kana muvengi wavo akavakomba panyika yemaguta avo, dambudziko ripi, hosha ipi;
  9024. 1Ki 8:38 munyengetero upi neupi, kukumbira kupi nekupi, zvinoitwa neupi neupi, nevanhu venyu vose Israeri, vachaziva uyo neuyo dambudziko remoyo wake, akatandavadzira maoko ake kuimba iyi,
  9025. 1Ki 8:39 zvino inzwai imwi muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara yakamiswa, mugoregerera, uye muite, mugopa umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake dzose, moyo wake wamunoziva, nokuti ndimwi mega munoziva moyo wevose vana vevanhu;
  9026. 1Ki 8:40 kuti vakutyei mazuva ose avachararama pachiso chenyika yamakapa madzibaba edu.
  9027. 1Ki 8:41 Zvinowo maererano nemutorwa, asiri wevanhu venyu Israeri, asi anobva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu;
  9028. 1Ki 8:42 nokuti vachanzwa zvezita renyu guru uye zveruoko rwenyu rwakasimba uye zvechanza chenyu chakatandavadzwa; kana akauya ndokunyengetera akatarira kuimba ino;
  9029. 1Ki 8:43 inzwai imwi muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara yakamiswa, mugoita zvinoenderana nezvose mutorwa zvaanokudanirai, kuti marudzi ose epanyika azive zita renyu, kukutyai, sevanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti zita renyu rinodanwa pamusoro peimba ino yandakavaka.
  9030. 1Ki 8:44 Kana vanhu venyu vakabuda kuhondo kurwisa muvengi wavo, nenzira yamunovatuma nayo, ndokunyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza, nekuimba yandakavakira zita renyu,
  9031. 1Ki 8:45 ipapo inzwai imwi muri kumatenga munyengetero wavo nemukumbiro wavo, uye muite kururamisirwa kwavo.
  9032. 1Ki 8:46 Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, uye mukavatsamwira, ndokuvapa kumuvengi, kuti vatapi vavo vavatapire kunyika yemuvengi, kure kana pedo;
  9033. 1Ki 8:47 kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri munyika yevatapi vavo, vachiti: Tatadza, uye tatsauka, taita zvakaipa;
  9034. 1Ki 8:48 zvino vakadzokera kwamuri nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose munyika yevavengi vavo vakavatapa, ndokunyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yavo yamakapa kumadzibaba avo, guta ramakasarudza, neimba yandakavakira zita renyu;
  9035. 1Ki 8:49 ipapo inzwai imwi muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara yakamiswa, munyengetero wavo nemukumbiro wavo, uye muite kururamiswa kwavo;
  9036. 1Ki 8:50 uye muregerere vanhu venyu vakakutadzirai, nekudarika kwavo kose kwavakadarika nako kwamuri; muvape tsitsi pamberi pevakavatapa, kuti vave netsitsi kwavari.
  9037. 1Ki 8:51 Nokuti ivo vanhu venyu nenhaka yenyu yamakabudisa kubva muEgipita pakati pevira rematare;
  9038. 1Ki 8:52 kuti meso enyu azarukire kumukumbiro wemuranda wenyu, uye kumukumbiro wevanhu venyu Israeri, kuvateerera pakuchema kwavo kose kwamuri.
  9039. 1Ki 8:53 Nokuti imwi makavaparadzanisa kuva nhaka yenyu kubva pamarudzi ose enyika, sezvamakataura neruoko rwaMozisi muranda wenyu, pamakabudisa madzibaba edu kubva muEgipita, Ishe Jehovha.
  9040. 1Ki 8:54 Zvino kwakati Soromoni apedza kunyengetera munyengetero uyu wose nemukumbiro kuna Jehovha, wakasimuka kubva pamberi pearitari yaJehovha pakupfugama nemabvi ake nemaoko ake akatandavadzirwa kumatenga.
  9041. 1Ki 8:55 Zvino wakamira ndokuropafadza ungano yose yaIsraeri nenzwi guru achiti:
  9042. 1Ki 8:56 Jehovha ngaakudzwe wakapa vanhu vake Israeri zororo zvichienderana nezvose zvaakataura. Hakuna kuwa shoko rimwe pachivimbiso chake chose chakanaka chaakataura neruoko rwaMozisi muranda wake.
  9043. 1Ki 8:57 Jehovha Mwari wedu ngaave nesu, sezvaaiva nemadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirega;
  9044. 1Ki 8:58 kuti arerekerese moyo yedu kwaari, kufamba munzira dzake dzose, uye kuchengeta mirairo yake, nezvimiso zvake, nemitongo yake, zvaakaraira madzibaba edu.
  9045. 1Ki 8:59 Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaave pedo naJehovha Mwari wedu masikati neusiku, kuti aite kururamisirwa kwemuranda wake, nekururama kwevanhu vake Israeri, nyaya yezuva pazuva rayo;
  9046. 1Ki 8:60 kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiMwari; hakuna umwe.
  9047. 1Ki 8:61 Naizvozvo moyo wenyu ngauve wakaperedzerwa kuna Jehovha Mwari wedu, kufamba muzvimiso zvake nekuchengeta mirairo yake, sanhasi.
  9048. 1Ki 8:62 Zvino mambo naIsraeri wose anaye ndokupa chibairo pamberi paJehovha.
  9049. 1Ki 8:63 Zvino Soromoni wakapa chibairo chezvipo zvekuyananisa, zvaakapa kuna Jehovha, nzombe zvuru makumi maviri nezviviri, nemakwai zvuru zana nemakumi maviri. Mambo nevana vaIsraeri vose ndokutsaura imba yaJehovha.
  9050. 1Ki 8:64 Nezuva iroro mambo wakatsvenesa pakati pechivanze chaiva pamberi peimba yaJehovha, nokuti ipapo wakapa chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa nemafuta ezvipo zvekuyananisa; nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yaiva iri diki zvikuru kuringana chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa nemafuta ezvipo zvekuyananisa.
  9051. 1Ki 8:65 Zvino nenguva iyo Soromoni wakaita mabiko, naIsraeri wose pamwe naye, ungano huru, kubva pakupinda paHamati kusvika parukova rweEgipita, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe nemazuva manomwe, mazuva gumi nemana.
  9052. 1Ki 8:66 Pazuva rerusere wakaendesa vanhu, ivo ndokuropafadza mambo, ndokuenda kumatende avo nerufaro uye kunaka kwemoyo nezvose Jehovha zvaakaitira Dhavhidhi muranda wake naIsraeri vanhu vake.
  9053. 1Ki 9:1 Zvino zvakaitika pakupedza kwaSoromoni kuvaka imba yaJehovha neimba yamambo nechishuwo chese chaSoromoni chaaifarira kuita,
  9054. 1Ki 9:2 kuti Jehovha wakaonekwa kuna Soromoni rwechipiri sezvaaiva aonekwa kwaari paGibhiyoni.
  9055. 1Ki 9:3 Jehovha ndokuti kwaari: Ndanzwa munyengetero wako nemukumbiro wako zvawakumbira mberi kwangu. Ndaita imba ino tsvene yawakavaka kuisa zita rangupo rinhi narinhi; uye meso angu nemoyo wangu zvichavapo mazuva ose.
  9056. 1Ki 9:4 Zvino iwe, kana uchifamba pamberi pangu saDhavhidhi baba vako vakafamba nemoyo unorevesa, nekururama, kuita maererano nezvese zvandakakuraira, uchichengeta zvimiso zvangu nemitongo yangu,
  9057. 1Ki 9:5 ipapo ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwako pamusoro paIsraeri rinhi narinhi, sezvandakataura kuna Dhavhidhi baba vako, ndichiti: Hakungashaikwi munhu pamusoro pechigaro cheushe chaIsraeri.
  9058. 1Ki 9:6 Kana mukatendeuka zvekutendeuka imwi nevana venyu pakunditevera uye mukasachengeta mirairo yangu, zvimiso zvangu zvandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda mukashumira vamwe vamwari ndokuvanamata;
  9059. 1Ki 9:7 ipapo ndichagura Israeri kubva panyika yandakavapa; neimba iyi yandakaitira tsvene zita rangu, ndichairasira kure nechiso changu; uye Israeri achava shumo nechiseko pakati pevanhu vese;
  9060. 1Ki 9:8 uye imba iyi yakakwirira, wese anopfuura nepairi achashamiswa uye acharidza muridzo, uye vachati: Jehovha wakaitirei kudai kunyika ino uye kuimba ino?
  9061. 1Ki 9:9 Zvino vachiti: Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakabudisa madzibaba avo munyika yeEgipita, ndokubatirira vamwe vamwari ndokuvashumira, ndokuvabatira; naizvozvo Jehovha wavaburusira chakaipa chese ichi.
  9062. 1Ki 9:10 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore makumi maviri Soromoni avaka dzimba idzi mbiri, imba yaJehovha neimba yamambo;
  9063. 1Ki 9:11 (nokuti Hiramu mambo weTire waiva atsigira Soromoni nematanda emisidhari uye nematanda emisipiresi uye negoridhe zvichienderana nechishuwo chake chese); nenguva iyo mambo Soromoni wakapa Hiramu maguta makumi maviri panyika yeGarirea.
  9064. 1Ki 9:12 Hiramu ndokubuda akabva Tire kuzoona maguta Soromoni aaiva amupa; asi aiva asina kunaka pameso ake.
  9065. 1Ki 9:13 Ndokuti: Magutai awa awandipa, hama yangu? Zvino wakaatumidza nyika yeKabhuri kusvika nhasi.
  9066. 1Ki 9:14 Zvino Hiramu wakatumira mambo matarenda egoridhe zana nemakumi maviri.
  9067. 1Ki 9:15 Zvino iyi inyaya yechibharo mambo Soromoni chaakasimudzira kuvaka imba yaJehovha neimba yake neMiro nerusvingo rweJerusarema neHazori neMegidho neGezeri.
  9068. 1Ki 9:16 Farao mambo weEgipita waiva akwira ndokutapa Gezeri, ndokuripisa nemoto, ndokuuraya vaKenani vaigara muguta, ndokupemberera naro mukunda wake, mukadzi waSoromoni.
  9069. 1Ki 9:17 Soromoni ndokuvaka Gezeri, neBheti-Horoni rezasi,
  9070. 1Ki 9:18 neBharati, neTamari murenje, munyika iyo,
  9071. 1Ki 9:19 nemaguta ese ematura Soromoni aaiva nawo, nemaguta engoro, nemaguta evatasvi vemabhiza, nechishuwo chaSoromoni chaakashuva kuvaka muJerusarema, nemuRebhanoni, nepanyika yese yaaiva nesimba pamusoro payo.
  9072. 1Ki 9:20 Vanhu vese vaiva vasara vevaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi, vaiva vasi vevana vaIsraeri;
  9073. 1Ki 9:21 vana vavo vaiva vasara shure kwavo panyika, avo vana vaIsraeri vavaiva vasingagoni kuparadza zvachose, Soromoni wakavasimudza kuita chibharo chevaranda kusvika nhasi.
  9074. 1Ki 9:22 Asi pavana vaIsraeri, Soromoni haana kuita varanda; asi vaiva varume vehondo nevabatsiri vake nemachinda ake nevakuru vake nevarairi vengoro dzake nevatasvi vemabhiza vake.
  9075. 1Ki 9:23 Ava vaiva vabati vevatariri vaiva pamusoro pebasa raSoromoni, mazana mashanu nemakumi mashanu, vaitonga vanhu vaibata pabasa.
  9076. 1Ki 9:24 Zvino mukunda waFarao wakakwira kubuda muguta raDhavhidhi kuenda kuimba yake yaaiva amuvakira; ipapo akavaka Miro.
  9077. 1Ki 9:25 Zvino katatu pagore Soromoni wakapa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa pamusoro pearitari yaakavakira Jehovha, ndokupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pairi zvaiva pamberi paJehovha. Saizvozvo wakapedza imba.
  9078. 1Ki 9:26 Mambo Soromoni wakaitawo zvikepe paEziyoni-Gebheri riri pedo neEroti pamahombekombe eGungwa Dzvuku panyika yeEdhomu.
  9079. 1Ki 9:27 Hiramu ndokutuma muzvikepe izvo varanda vake, varume vezvikepe vaiva neruzivo rwegungwa, pamwe nevaranda vaSoromoni.
  9080. 1Ki 9:28 Zvino vakasvika Ofiri, ndokutorapo goridhe, matarenda mazana mana nemakumi maviri, ndokuunza kuna mambo Soromoni.
  9081. 1Ki 10:1 Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni maererano nezita raJehovha, wakauya kuzomuedza nemibvunzo mikukutu.
  9082. 1Ki 10:2 Zvino wakasvika kuJerusarema ane dungwe guru kwazvo, makamera akatakura zvinonhuhwira, negoridhe zhinji-zhinji, nemabwe anokosha. Paakasvika kuna Soromoni wakataura kwaari zvese zvaiva mumoyo make.
  9083. 1Ki 10:3 Soromoni ndokududzira kwaari mibvunzo yake yese; hakuna chinhu chaiva chakavanzika kuna mambo, chaaiva asina kududzira kwaari.
  9084. 1Ki 10:4 Zvino mambokadzi weShebha aona kuchenjera kwese kwaSoromoni, neimba yaaiva avaka,
  9085. 1Ki 10:5 nezvekudya zvetafura yake, nekugara kwevaranda vake, nekumira kwevashandiri vake, nenguvo dzavo, nevabati vemikombe vake, nechikwiriso chake chaakwira nacho kuimba yaJehovha, akasazova nemweya maari.
  9086. 1Ki 10:6 Zvino wakati kuna mambo: Shoko randakanzwa munyika yangu maererano nenyaya uye neuchenjeri hwenyu nderechokwadi.
  9087. 1Ki 10:7 Asi handina kutenda mashoko iwawo kusvika ndauya, nemeso angu akaona; zvino tarira, handina kuudzwa hafu; makawedzera uchenjeri nekunaka pamashoko andakanzwa.
  9088. 1Ki 10:8 Mufaro wevanhu venyu, mufaro wevaranda venyu ava vanoramba vakamira pamberi penyu vachinzwa uchenjeri hwenyu.
  9089. 1Ki 10:9 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu wakafadzwa nemwi kukuisai pachigaro cheushe chaIsraeri. Nokuti Jehovha wakada Israeri nekusingaperi, naizvozvo wakakuitai mambo kuti muite mutongo nekururama.
  9090. 1Ki 10:10 Zvino wakapa mambo matarenda zana nemakumi maviri egoridhe, nezvinonhuhwira zvizhinji kwazvo, nemabwe anokosha; hakuna kuzouyazve zvinonhuhwira zvakawanda seizvo mambokadzi weShebha zvaakapa mambo Soromoni.
  9091. 1Ki 10:11 Uyezve zvikepe zvaHiramu zvaitakura goridhe kubva Ofiri zvaiuya nemiti yakawanda kwazvo yemiarimugi nemabwe anokosha kubva Ofiri.
  9092. 1Ki 10:12 Mambo ndokuita nematanda emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha nedzeimba yamambo, uye mbira nemitengeranwa zvevaimbi; hakuna kumbouiswa kana kuonekwa miti yemiarimugi yakadai kusvika nhasi.
  9093. 1Ki 10:13 Zvino mambo Soromoni wakapa mambokadzi weShebha zvishuwo zvake zvese zvaakakumbira kunze kweizvi wakamupa chipo chekupa chamambo Soromoni. Iye ndokutendeuka ndokuenda kunyika yake, iye nevaranda vake.
  9094. 1Ki 10:14 Zvino uremu hwegoridhe hwakasvika kuna Soromoni negore rimwe hwaiva matarenda egoridhe mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu;
  9095. 1Ki 10:15 kunze kwerevashambadziri, nerevatengesi vezvirungiso, neremadzimambo ese eArabhiya, nerevatongi venyika.
  9096. 1Ki 10:16 Mambo Soromoni ndokuita nhovo huru mazana maviri negoridhe rakatakiwa; mashekeri mazana matatu egoridhe akapinda munhovo imwe huru;
  9097. 1Ki 10:17 nenhovo diki mazana matatu dzegoridhe rakavangiwa; mapaundi matatu egoridhe akapinda munhovo imwe diki; mambo ndokuzviisa mumba yedondo reRebhanoni.
  9098. 1Ki 10:18 Mambo wakaitawo chigaro chikuru cheushe chenyanga dzenzou, ndokuchidzudzura negoridhe rakaisvonaka.
  9099. 1Ki 10:19 Chigaro cheushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu; uye musoro wechigaro cheushe waiva wakatenderedzwa shure; uye zvitsigiro kuno neuko kusvika panzvimbo yekugara; neshumba mbiri dzakamira panhivi dzezvitsigiro.
  9100. 1Ki 10:20 Zvino shumba gumi nembiri dzaiva dzimirepo pazvikwiriso zvitanhatu, kuno neuko. Hakuna kumboitwa saizvozvo kune humwe ushe hwose.
  9101. 1Ki 10:21 Zvino mikombe yese yekunwira yamambo Soromoni yaiva yegoridhe; uye midziyo yese yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yegoridhe rakazara; kwaiva kusina sirivha mazviri; iyo yaiva isingaverengwi sechinhu pamazuva aSoromoni.
  9102. 1Ki 10:22 Nokuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwe nezvikepe zvaHiramu; kamwe pamakore matatu zvikepe zveTarishishi zvaiuya, zvakatakura goridhe, nesirivha, nyanga dzenzou, netsoko, nematendera.
  9103. 1Ki 10:23 Naizvozvo mambo Soromoni waiva akakura pane madzimambo ese enyika pakufuma nepauchenjeri.
  9104. 1Ki 10:24 Nyika yese ndokutsvaka chiso chaSoromoni kunzwa uchenjeri hwake Mwari hwaakaisa mumoyo make.
  9105. 1Ki 10:25 Zvino vakaunza umwe neumwe chipo chake: Midziyo yesirivha, nemidziyo yegoridhe, nenguvo, nezvombo, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, mabhiza, nemanyurusi, chinhu chegore pagore.
  9106. 1Ki 10:26 Soromoni ndokuunganidza ngoro nevatasvi vemabhiza. Zvino waiva nengoro churu nemazana mana, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri; akazviisa mumaguta engoro, nekuna mambo paJerusarema.
  9107. 1Ki 10:27 Mambo ndokuita sirivha kuita semabwe paJerusarema, uye wakaita misidhari kuita semionde yesikamori mumupata pakuwanda.
  9108. 1Ki 10:28 Zvino mabhiza aiva aSoromoni aibva kuEgipita, nemucheka wakapfava, vatengesi vamambo vaiutora mucheka wakapfava nemutengo.
  9109. 1Ki 10:29 Ngoro ndokukwira ndokubuda kubva muEgipita nemashekeri esirivha mazana matanhatu, uye bhiza nemashekeri zana nemakumi mashanu; saizvozvowo kumadzimambo ese evaHiti, nekumadzimambo evaSiriya, vakaabudisa neruoko rwavo.
  9110. 1Ki 11:1 Zvino mambo Soromoni waiva achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwe nemukunda waFarao: Vakadzi vevaMoabhu, vakadzi vevaAmoni, vakadzi vevaEdhomu, vakadzi vevaSidhoni, [ne]vakadzi vevaHiti;
  9111. 1Ki 11:2 vaibva kundudzi Jehovha dzaaiva ati kuvana vaIsraeri: Hamungapindi kwavari, uye ivo havangapindi kwamuri; zvirokwazvo vachashandura moyo wenyu utevere vamwari vavo. Ivavo Soromoni wakanamatira kwavari murudo.
  9112. 1Ki 11:3 Zvino waiva ane vakadzi mazana manomwe, vakunda vemadzimambo, nevarongo mazana matatu. Vakadzi vake ndokutsausa moyo wake.
  9113. 1Ki 11:4 Nokuti zvakaitika panguva yekukwegura kwaSoromoni, kuti vakadzi vake vakatsausa moyo wake kutevera vamwe vamwari; uye moyo wake ukasava wakaperera kuna Jehovha Mwari wake, semoyo waDhavhidhi baba vake.
  9114. 1Ki 11:5 Nokuti Soromoni wakafamba shure kwaAshitoreti mwari wevaSidhoni, uye shure kwaMirikomi chinyangadzo chevaAmoni.
  9115. 1Ki 11:6 Soromoni ndokuita zvakaipa pameso aJehovha, uye haana kutevera Jehovha zvakazara saDhavhidhi baba vake.
  9116. 1Ki 11:7 Nenguva iyoyo Soromoni wakavakira Kemoshi chinyangadzo chaMoabhu nzvimbo yakakwirira pagomo riri pamberi peJerusarema, naMoreki chinyangadzo chevana vaAmoni.
  9117. 1Ki 11:8 Saizvozvo wakaitira vakadzi vake vese vatorwa, vaipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira uye vaibaira kuna vamwari vavo.
  9118. 1Ki 11:9 Zvino Jehovha wakatsamwira Soromoni, nokuti moyo wake wakatsauka kubva pana Jehovha Mwari waIsraeri, iye waiva aonekera kwaari kaviri,
  9119. 1Ki 11:10 ndokumuraira maererano nechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuchengeta izvo Jehovha zvaakaraira.
  9120. 1Ki 11:11 Naizvozvo Jehovha wakati kuna Soromoni: Nekuda kwekuti izvi zvaitwa newe uye hauna kuchengeta sungano yangu nezvimiso zvangu zvandakakuraira, ndichabvarura zvirokwazvo ushe kubva kwauri ndigohupa kumuranda wako.
  9121. 1Ki 11:12 Zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nekuda kwaDhavhidhi baba vako; ndichahubvarura hubve muruoko rwemwanakomana wako.
  9122. 1Ki 11:13 Zvakadaro handingabvaruri ushe hwose. Ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nekuda kweJerusarema randakasarudza.
  9123. 1Ki 11:14 Zvino Jehovha wakamutsira Soromoni muvengi, Hadhadhi muEdhomu; iye waiva wechizvarwa chamambo paEdhomu.
  9124. 1Ki 11:15 Nokuti zvakaitika Dhavhidhi paaiva paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo paakakwira kunoviga vakaurawa, wakarova varume vese paEdhomu.
  9125. 1Ki 11:16 Nokuti Joabhu wakagarapo mwedzi mitanhatu, naIsraeri wose, kusvika agura murume umwe neumwe paEdhomu.
  9126. 1Ki 11:17 Asi Hadhadhi wakatiza, iye nevamwe vaEdhomu vevaranda vababa vake vanaye, kupinda muEgipita; uye Hadhadhi waiva mwanana.
  9127. 1Ki 11:18 Zvino vakasimuka kubva paMidhiani ndokusvika kuParani; ndokutora varume pamwe navo kubva paParani, ndokusvika kuEgipita kuna Farao mambo weEgipita, iye wakamupa imba ndokumugurira zvekudya, ndokumupa ivhu.
  9128. 1Ki 11:19 Hadhadhi ndokuwana nyasha kwazvo pameso aFarao; iye ndokumupa mukadzi, muramu wake, munin’ina waTapenesi vahosi vamambo.
  9129. 1Ki 11:20 Munin’ina waTapenesi ndokumuberekera Genubhati mwanakomana wake, Tapenesi waakarumurira mumba maFarao; Genubhati ndokuva mumba maFarao pakati pevanakomana vaFarao.
  9130. 1Ki 11:21 Hadhadhi paakanzwa ari muEgipita kuti Dhavhidhi warara nemadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi wakati kuna Farao: Nditenderei ndiende kunyika yangu.
  9131. 1Ki 11:22 Farao ndokuti kwaari: Asi washaiwei uneni kuti, tarira, utsvake kuenda kunyika yekwako? Iye ndokuti: Hapana; kunyange zvakadaro nditenderei kwazvo ndiende.
  9132. 1Ki 11:23 Zvino Mwari wakamumutsira muvengi, Rezonhi mwanakomana waEriadha, waiva atiza kubva kuna ishe wake Hadhadhezeri mambo weZobha,
  9133. 1Ki 11:24 ndokuzviunganidzira varume, ndokuva mukuru weboka, Dhavhidhi paaiuraya. Zvino vakaenda Dhamasiko ndokugaramo, ndokutonga paDhamasiko.
  9134. 1Ki 11:25 Zvino wakava muvengi kuna Israeri mazuva ese aSoromoni, uye pamusoro pezvakaipa Hadhadhi zvaakaita; iye ndokusema Israeri, ndokutonga pamusoro peSiriya.
  9135. 1Ki 11:26 Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake raiva Zerua, mukadzi chirikadzi, naiye wakasimudzira mambo ruoko.
  9136. 1Ki 11:27 Iyi ndiyo nyaya yaakasimudzirira mambo ruoko: Soromoni wakavaka Miro, akavhara buri reguta raDhavhidhi baba vake.
  9137. 1Ki 11:28 Zvino murume Jerobhoamu waiva murume wesimba weumhare. Soromoni aona jaya kuti waiva muiti webasa, wakamuisa pamusoro pemutoro wese weimba yaJosefa.
  9138. 1Ki 11:29 Zvino zvakaitika panguva iyo Jerobhoamu paakabuda muJerusarema kuti muporofita Ahija muShiro wakamuwana panzira; zvino waiva akazvipfekedza nguvo itsva; uye vaiva vaviri vega kusango.
  9139. 1Ki 11:30 Ahija ndokubata nguvo itsva yaiva paari, ndokuibvarura kuita mapandi gumi nemaviri.
  9140. 1Ki 11:31 Zvino wakati kuna Jerobhoamu: Zvitorere mapandi gumi; nokuti anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Tarira, ndinobvarura ushe kubva muruoko rwaSoromoni, uye ndichapa kwauri marudzi gumi.
  9141. 1Ki 11:32 Asi iye achava nerudzi rumwe nekuda kwemuranda wangu Dhavhidhi uye nekuda kweJerusarema guta randakasarudza kubva kumarudzi ese aIsraeri.
  9142. 1Ki 11:33 Nokuti vakandisiya ndokunamata Ashitoreti mwari wevaSidhoni, Kemoshi mwari wevaMoabhu, naMirikomi mwari wevana vaAmoni; uye havana kufamba munzira dzangu kuita zvakarurama pameso angu uye kuchengeta zvimiso zvangu nemitongo yangu, saDhavhidhi baba vake.
  9143. 1Ki 11:34 Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwese muruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ese eupenyu hwake, nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu wandakasarudza, wakachengeta mirairo yangu nezvimiso zvangu.
  9144. 1Ki 11:35 Asi ndichabvisa ushe muruoko rwemwanakomana wake, ndigohupa iwe, marudzi gumi.
  9145. 1Ki 11:36 Asi kumwanakomana wake ndichapa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nemwenje mazuva ese pamberi pangu paJerusarema, guta randakazvisarudzira kuisa zita rangupo.
  9146. 1Ki 11:37 Zvino ndichakutora uye uchatonga pamusoro pezvese mweya weupenyu wako zvaunoshuva; uye uve mambo pamusoro paIsraeri.
  9147. 1Ki 11:38 Zvino kuchati kana ukateerera zvese zvandinokuraira, uye ukafamba munzira dzangu uye ukaita zvakarurama pameso angu, kuchengeta zvimiso zvangu nemirairo yangu sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigopa Israeri kwauri.
  9148. 1Ki 11:39 Uye nekuda kweizvi ndicharwadzisa mbeu yaDhavhidhi, asi kwete mazuva ose.
  9149. 1Ki 11:40 Naizvozvo Soromoni wakatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka ndokutizira kuEgipita kuna Shishaki mambo weEgipita; ndokuva muEgipita kusvika pakufa kwaSoromoni.
  9150. 1Ki 11:41 Zvino amwe mashoko aSoromoni, nezvese zvaakaita, neuchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku remashoko aSoromoni?
  9151. 1Ki 11:42 Zvino nguva Soromoni yaakatonga paJerusarema pamusoro paIsraeri wese yakava makore makumi mana.
  9152. 1Ki 11:43 Soromoni ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa muguta raDhavhidhi baba vake; Rehobhoamu mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9153. 1Ki 12:1 Zvino Rehobhoamu wakaenda kuShekemu, nokuti Israeri wese waiva asvika kuShekemu kumuisa ave mambo.
  9154. 1Ki 12:2 Zvino zvakaitika Jerobhoamu mwanakomana waNebhati waiva achiri muEgipita paakazvinzwa (nokuti waiva atiza kubva pamberi paSoromoni mambo, Jerobhoamu ndokugara muEgipita),
  9155. 1Ki 12:3 zvekuti vakatuma nhume ndokumudana; Jerobhoamu neungano yese yaIsraeri ndokuuya ndokutaura naRehobhoamu vachiti:
  9156. 1Ki 12:4 Baba venyu vakaita joko redu riome; naizvozvo zvino imwi rerusai basa rakaoma rababa venyu, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, zvino tichakushumirai.
  9157. 1Ki 12:5 Zvino wakati kwavari: Endaizve mazuva matatu mugodzokera kwandiri. Vanhu ndokuenda.
  9158. 1Ki 12:6 Zvino mambo Rehobhoamu wakapangana nevakuru vaimira pamberi paSoromoni baba vake vachiri vapenyu, vachiti: Munopanga zano sei kuti tidzosere mhinduro vanhu ava?
  9159. 1Ki 12:7 Zvino vakataura kwaari vachiti: Kana muchava muranda kuvanhu ava nhasi, uye mukavashandira, muvapindure mutaure kwavari mashoko akanaka, ipapo vachava varanda venyu mazuva ose.
  9160. 1Ki 12:8 Asi wakaramba zano revakuru ravaiva vamupanga, ndokupangana nemajaya akakura naye, aimira pamberi pake.
  9161. 1Ki 12:9 Zvino wakati kwavari: Munopanga zano ripi kuti tidzosere mhinduro kuvanhu ava vakataura neni vachiti: Rerusai joko baba venyu ravakaisa pamusoro pedu?
  9162. 1Ki 12:10 Zvino majaya akakura naye akataura kwaari achiti: Ndizvo zvamuchataura kuvanhu ava vakataura kwamuri vachiti: Baba venyu vakaita joko redu rireme, asi imwi itai rive rakareruka kwatiri; ndizvo zvamuchataura kwavari: Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
  9163. 1Ki 12:11 Zvino kana baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurangai neshamhu, asi ini ndichakurangai nezvinyavada.
  9164. 1Ki 12:12 Naizvozvo Jerobhoamu nevanhu vese vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, mambo sezvaaiva ataura achiti: Dzokai kwandiri nezuva retatu.
  9165. 1Ki 12:13 Mambo ndokupindura vanhu nehasha, akasiya zano revakuru ravakamupanga;
  9166. 1Ki 12:14 ndokutaura kwavari zvichienderana nezano remajaya, achiti: Baba vangu vakaita joko renyu rireme, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vakakurangai neshamhu, asi ini ndichakurangai nezvinyavada.
  9167. 1Ki 12:15 Naizvozvo mambo haana kuteerera kuvanhu; nokuti shanduko iyi yakabva kuna Jehovha kuti asimbise shoko rake Jehovha raakataura neruoko rwaAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
  9168. 1Ki 12:16 Israeri wese paakaona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakadzosera mambo shoko vachiti: Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hongu, hatina nhaka kumwanakomana waJese. Kumatende enyu, Israeri. Ikozvino zvionere imba yako, Dhavhidhi. Naizvozvo Israeri wakaenda kumatende avo.
  9169. 1Ki 12:17 Maererano nevana vaIsraeri vaigara mumaguta aJudha, Rehobhoamu waitonga pamusoro pavo.
  9170. 1Ki 12:18 Zvino mambo Rehobhoamu wakatuma Adhoramu waiva pamusoro pechibharo; Israeri wese ndokumutaka nemabwe kusvika afa. Naizvozvo mambo Rehobhoamu wakakurumidza kukwira mungoro kutizira kuJerusarema.
  9171. 1Ki 12:19 Saizvozvo Israeri wakamukira imba yaDhavhidhi kusvika zuva rino.
  9172. 1Ki 12:20 Zvino zvakaitika Israeri wese paakanzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume ndokumudanira kuungano, ndokumuita mambo pamusoro paIsraeri wese; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi kunze kwerudzi rwaJudha chete.
  9173. 1Ki 12:21 Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, wakaunganidza imba yose yaJudha, nerudzi rwaBhenjamini, varume zvuru zana nemakumi masere vakasarudzwa, vairwa hondo, kurwa neimba yaIsraeri, kudzosera ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.
  9174. 1Ki 12:22 Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti:
  9175. 1Ki 12:23 Taura kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, nekuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nekumusiiwa wevanhu, uchiti:
  9176. 1Ki 12:24 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Hamungakwiri uye hamungarwi nehama dzenyu vana vaIsraeri; dzokerai umwe neumwe kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Zvino vakateerera kushoko raJehovha, ndokudzokera kuenda zvichienderana neshoko raJehovha.
  9177. 1Ki 12:25 Zvino Jerobhoamu wakavaka Shekemu pagomo raEfuremu ndokugaramo; ndokubudamo ndokuvaka Penueri.
  9178. 1Ki 12:26 Zvino Jerobhoamu wakati mumoyo make: Ikozvino ushe huchadzokera kuimba yaDhavhidhi.
  9179. 1Ki 12:27 Kana vanhu ava vakakwira kunoita zvibairo mumba maJehovha paJerusarema, ipapo moyo wevanhu ava uchadzokera kuna ishe wavo, kuna Rehobhoamu mambo waJudha; uye vachandiuraya vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.
  9180. 1Ki 12:28 Zvino mambo wakatora zano ndokuita mhuru mbiri dzegoridhe, ndokuti kwavari: Zvakakunyanyirai zvikuru kukwira kuJerusarema; tarirai vamwari venyu, Israeri, vakakukwidzai kubva panyika yeEgipita.
  9181. 1Ki 12:29 Zvino wakaisa imwe paBheteri, uye imwe wakaimisa paDhani.
  9182. 1Ki 12:30 Chinhu ichi ndokuva chivi, nokuti vanhu vakaenda pamberi peimwe kusvika kuDhani.
  9183. 1Ki 12:31 Wakaitawo imba yenzvimbo dzakakwirira, ndokuita vapristi kubva kumigumo yevanhu vese vaiva vasiri veimba yaRevhi.
  9184. 1Ki 12:32 Zvino Jerobhoamu wakaita mutambo pamwedzi werusere, nezuva regumi nemashanu remwedzi, semutambo waiva kwaJudha, ndokupa paaritari. Ndizvo zvaakaita paBheteri, kubaira mhuru dzaakaita; uye wakaisa paBheteri vapristi venzvimbo dzakakwirira dzaaiva aita.
  9185. 1Ki 12:33 Naizvozvo wakapa paaritari yaaiva aita paBheteri nezuva regumi nemashanu mumwedzi werusere, mumwedzi waaiva afunga uchibva mumoyo make; ndokuitira vana vaIsraeri mutambo, ndokupa pamusoro pearitari kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  9186. 1Ki 13:1 Zvino tarira, kwakauya munhu waMwari kubva kwaJudha neshoko raJehovha kuBheteri; zvino Jerobhoamu waiva amire pedo nearitari kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  9187. 1Ki 13:2 Iye ndokudanidzira kuaritari neshoko raJehovha ndokuti: Aritari, aritari, ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarira, mwanakomana achaberekerwa imba yaDhavhidhi, ndiJosiya zita rake; achabaira pamusoro pako vapristi venzvimbo dzakakwirira vanopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pako, uye mapfupa evanhu achapisirwa pamusoro pako.
  9188. 1Ki 13:3 Zvino wakapa nezuva iro chiratidzo achiti: Ichi chiratidzo Jehovha chaataura: Tarira aritari inodamburwa uye madota ari pamusoro payo achadurukira pasi.
  9189. 1Ki 13:4 Zvino zvakaitika mambo paakanzwa shoko remunhu waMwari wakadanidzira kuaritari paBheteri, kuti Jerobhoamu wakatandavadza ruoko rwake akarubvisa paaritari achiti: Mubatei! Zvino ruoko rwake rwaakatandavadzira kwaari rwakaoma, zvekuti wakakonewa kurwudzosera kwaari.
  9190. 1Ki 13:5 Aritariwo yakadamburwa, nemadota akadurukira pasi kubva paaritari, zvichienderana nechiratidzo munhu waMwari chaaiva apa neshoko raJehovha.
  9191. 1Ki 13:6 Zvino mambo wakapindura ndokuti kumunhu waMwari: Kumbira hako chiso chaJehovha Mwari wako, uye undinyengeterere, kuti ruoko rwangu rwudzokere kwandiri. Munhu waMwari ndokukumbira chiso chaJehovha, ruoko rwamambo ndokudzokera kwaari, rwukava sepakutanga.
  9192. 1Ki 13:7 Zvino mambo wakati kumunhu waMwari: Enda neni tiende kumba, uzvivandudze, uye ndichakupa mubairo.
  9193. 1Ki 13:8 Asi munhu waMwari wakati kuna mambo: Kunyange mukandipa hafu yeimba yenyu, handingaendi nemwi uye handingadyi chingwa kana kunwa mvura munzvimbo ino.
  9194. 1Ki 13:9 Nokuti saizvozvo wakandiraira neshoko raJehovha achiti: Usadya chingwa uye usanwa mvura uye usadzoka nenzira yawaenda nayo.
  9195. 1Ki 13:10 Naizvozvo wakaenda neimwe nzira akasadzokera nenzira yaakauya nayo kuBheteri.
  9196. 1Ki 13:11 Zvino kwaigara muporofita mutana paBheteri; mwanakomana wake ndokuuya ndokumuudza basa rese munhu waMwari raakaita zuva iroro paBheteri; mashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaaudza baba vavo.
  9197. 1Ki 13:12 Baba vavo ndokuti kwavari: Waenda nenzira ipi? Nokuti vanakomana vake vaiva vaona nzira munhu waMwari wabva kwaJudha yaakafamba nayo.
  9198. 1Ki 13:13 Zvino wakati kuvanakomana vake: Ndisungirei chigaro pambongoro; zvino vakamusungira chigaro pambongoro; iye ndokuitasva.
  9199. 1Ki 13:14 Ndokutevera munhu waMwari, ndokumuwana agere pazasi pemuoki, ndokuti kwaari: Ndiwe munhu waMwari abva kwaJudha here? Iye ndokuti: Ndini.
  9200. 1Ki 13:15 Iye ndokuti kwaari: Hendei neni tiende kumba, unodya chingwa.
  9201. 1Ki 13:16 Iye ndokuti: Handigoni kudzokera nemwi kana kupinda nemwi, uye handingadyi chingwa uye handinganwi mvura nemwi panzvimbo iyi.
  9202. 1Ki 13:17 Nokuti shoko kwandiri neshoko raJehovha rakati: Haungadyi chingwa uye haunganwi mvurapo, haungadzokeri kuenda nenzira yawakauya nayo.
  9203. 1Ki 13:18 Zvino wakati kwaari: Neni ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wataura kwandiri neshoko raJehovha, achiti: Mudzose kumba kwako newe kuti adye chingwa uye anwe mvura. Akataura nhema kwaari.
  9204. 1Ki 13:19 Naizvozvo wakadzokera naye ndokudya chingwa mumba make ndokunwa mvura.
  9205. 1Ki 13:20 Zvino zvakaitika vagere patafura, kuti shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa.
  9206. 1Ki 13:21 Akadanidzira kumunhu waMwari, waiva abva kwaJudha, achiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Zvausina kuteerera muromo waJehovha, uye zvausina kuchengeta murairo Jehovha Mwari wako waakakuraira,
  9207. 1Ki 13:22 asi wadzokera uye wadya chingwa nekunwa mvura munzvimbo yaakati nezvayo kwauri: Usadya chingwa uye usanwa mvura; chitunha chako hachingasviki kuguva remadzibaba ako.
  9208. 1Ki 13:23 Zvino zvakaitika shure kwekudya kwake chingwa uye shure kwekunwa kwake, kuti wakamusungirira chigaro pambongoro iye muporofita waiva amudzosa.
  9209. 1Ki 13:24 Wakati aenda, shumba yakasangana naye panzira, ndokumuuraya; chitunha chake ndokukandirwa munzira, mbongoro ndokumira parutivi rwacho, shumba ndokumira parutivi rwechitunha.
  9210. 1Ki 13:25 Zvino tarira, vanhu vakapfuura ndokuona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire parutivi rwechitunha. Zvino vakasvika ndokutaura muguta, maiva mugere muporofita mutana.
  9211. 1Ki 13:26 Zvino muporofita wakamudzosa panzira paakanzwa, wakati: Ndiye munhu waMwari asina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamupa kushumba, yamubvambura ndokumuuraya, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura kwaari.
  9212. 1Ki 13:27 Zvino wakataura kuvanakomana vake achiti: Ndisungirirei chigaro pambongoro; vakaisungira chigaro.
  9213. 1Ki 13:28 Zvino wakaenda ndokuwana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire parutivi rwechitunha; shumba yaiva isina kudya chitunha uye yaiva isina kupwanya mbongoro.
  9214. 1Ki 13:29 Zvino muporofita wakasimudza chitunha chemunhu waMwari ndokuchiisa pamusoro pembongoro ndokuchidzosa; muporofita mutana ndokusvika muguta kumuchema nekumuviga.
  9215. 1Ki 13:30 Zvino wakaisa chitunha chake muguva rake ndokumuchema: Maiwee, munin’ina wangu!
  9216. 1Ki 13:31 Zvino zvakaitika shure kwekumuviga, kuti wakataura kuvanakomana vake, achiti: Pakufa kwangu, mundivige muguva makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi rwemapfupa ake.
  9217. 1Ki 13:32 Nokuti shoko richaitika zvirokwazvo raakadanidzira neshoko raJehovha kuaritari paBheteri, nekudzimba dzose dzenzvimbo dzakakwirira ari pamaguta eSamariya.
  9218. 1Ki 13:33 Shure kwechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakaitazve vapristi venzvimbo dzakakwirira pavanhu kubva kumigumo; anoda wakamutsaura, ndokuva umwe wevapristi venzvimbo dzakakwirira.
  9219. 1Ki 13:34 Zvino nechinhu ichi chakava chivi paimba yaJerobhoamu, kunyange kuigura nekuiparadza ibve pachiso chenyika.
  9220. 1Ki 14:1 Panguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu wakarwara.
  9221. 1Ki 14:2 Jerobhoamu ndokuti kumukadzi wake: Simuka hako, ushandure chimiro, kuti vasaziva kuti uri mukadzi waJerobhoamu, ugoenda kuShiro; tarira, pana Ahija muporofita wakataura maererano neni kuva mambo pamusoro pevanhu ava.
  9222. 1Ki 14:3 Zvino tora muruoko rwako zvingwa gumi nezvimedu zvakaoma nedende reuchi ugoenda kwaari; iye achakuudza zvichaitika kumwana.
  9223. 1Ki 14:4 Mukadzi waJerobhoamu ndokuita saizvozvo, ndokusimuka ndokuenda kuShiro, ndokusvika paimba yaAhija. Asi Ahija waiva asingagoni kuona nokuti meso ake aiva amira nekuda kwekukwegura kwake.
  9224. 1Ki 14:5 Zvino Jehovha wakati kuna Ahija: Tarira, mukadzi waJerobhoamu anouya kuzokubvunza chinhu pamusoro pemwanakomana wake, nokuti anorwara; uchamuudza zvekuti nezvekuti, nokuti zvichaitika pakupinda kwake, kuti achazviita umwe mukadzi.
  9225. 1Ki 14:6 Zvino zvakaitika pakunzwa kwaAhija mutsindo wetsoka dzake, achipinda pamukova, kuti wakati: Pinda mukadzi waJerobhoamu, unozviidzirei umwe? Nokuti ndatumwa kwauri nechinhu chinorema.
  9226. 1Ki 14:7 Enda, uudze Jerobhoamu: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Zvandakakusimudza pakati pevanhu, ndikakuita mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri,
  9227. 1Ki 14:8 ndokubvarura ushe kubva kuimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva semuranda wangu Dhavhidhi waichengeta mirairo yangu uye wakanditevera nemoyo wake wese kuita zvega zvakanaka pameso angu;
  9228. 1Ki 14:9 asi wakaita zvakaipa kuita zvakapfuura vese vaiva mberi kwake, uye wakaenda ukazviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa nekunyungudusa, kuti unditsamwise; uye ini wakandirasira shure kwemusana wako.
  9229. 1Ki 14:10 Naizvozvo, tarira, ndichauisa chakaipa paimba yaJerobhoamu; uye ndichagura kubva kuna Jerobhoamu anowetera pamadziro, wakavharirwa newakasununguka kwaIsraeri, uye ndidzime vanotevera veimba yaJerobhoamu, semunhu anodzima mupfudze kusvika wapera.
  9230. 1Ki 14:11 Anofa kwaJerobhoamu mukati meguta imbwa dzichamudya; neanofira musango shiri dzematenga dzichamudya; nokuti Jehovha wakataura.
  9231. 1Ki 14:12 Naizvozvo iwe simuka uende kumba kwako; pakupinda kwetsoka dzako muguta, mwana achafa.
  9232. 1Ki 14:13 Zvino Israeri wese achamuchema ndokumuviga; nokuti ndiye ega waJerobhoamu achasvika paguva, nokuti maari makawanikwa chinhu chakanaka kuna Jehovha Mwari waIsraeri paimba yaJerobhoamu.
  9233. 1Ki 14:14 Uye Jehovha achazvimutsira mambo pamusoro paIsraeri, iye achagura imba yaJerobhoamu zuva iro. Asi chii? Kunyange ikozvino.
  9234. 1Ki 14:15 Nokuti Jehovha acharova Israeri, serutsanga rwuchizununguswa mumvura; iye achadzura Israeri kubva panyika ino yakanaka, yaakapa kumadzibaba avo, nekuvaparadzira mhiri kwerwizi; nokuti vakaita matanda avo ekunamata nawo vachitsamwisa Jehovha.
  9235. 1Ki 14:16 Zvino achapa Israeri nekuda kwezvivi zvaJerobhoamu zvaakatadza, uye zvaakatadzisa nazvo Israeri.
  9236. 1Ki 14:17 Zvino mukadzi waJerobhoamu wakasimuka, ndokuenda, ndokusvika paTiriza. Paakasvika pachikumbaridzo cheimba, mwana wakafa.
  9237. 1Ki 14:18 Zvino vakamuviga, Israeri wese ndokumuchema, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwemuranda wake Ahija muporofita.
  9238. 1Ki 14:19 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJerobhoamu, kuti wakarwa sei, uye kuti wakatonga sei, tarira, zvakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.
  9239. 1Ki 14:20 Zvino mazuva Jerobhoamu aakatonga aiva makore makumi maviri nemaviri; ndokurara nemadzibaba ake; Nadhabhi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9240. 1Ki 14:21 Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni wakatonga kwaJudha. Rehobhoamu waiva wemakore makumi mana nerimwe paakava mambo, ndokutonga makore gumi nemanomwe paJerusarema, guta Jehovha raaiva asarudza pakati pemarudzi ese aIsraeri kuisa zita rakepo. Zvino zita ramai vake raiva Naama muAmoni.
  9241. 1Ki 14:22 Zvino Judha wakaita chakaipa pameso aJehovha; ndokumumutsira godo nezvivi zvavo zvavakatadza, kupfuura zvese madzibaba avo zvaakaita, nezvivi zvavo zvavakatadza.
  9242. 1Ki 14:23 Nokuti naivo vakazvivakira nzvimbo dzakakwirira, neshongwe dzakamira, nematanda ekunamata nawo, pamusoro pechikomo chese chakakwirira, nepazasi pemuti umwe neumwe munyoro.
  9243. 1Ki 14:24 Zvino kwaivawo nengochani panyika; vakaita zvinoenderana nezvinyangadzo zvese zvemarudzi Jehovha aakadzingira kubva pamberi pevana vaIsraeri.
  9244. 1Ki 14:25 Zvino zvakaitika mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weEgipita wakakwira kurwa neJerusarema.
  9245. 1Ki 14:26 Zvino wakatora fuma yeimba yaJehovha nefuma yeimba yamambo; uye akazvitora zvese; ndokutora nhovo diki dzose dzegoridhe Soromoni dzaaiva aita.
  9246. 1Ki 14:27 Zvino mambo Rehobhoamu wakaita panzvimbo yadzo nhovo diki dzendarira, ndokudzipa paruoko rwevakuru vevarindi vaichengeta mukova weimba yamambo.
  9247. 1Ki 14:28 Zvino zvakaitika apo mambo paaipinda muimba yaJehovha, kuti varindi vaidzitakura, ndokudzidzosera muimba yevarindi.
  9248. 1Ki 14:29 Zvino dzimwe dzenyaya dzaRehobhoamu, nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9249. 1Ki 14:30 Zvino paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ose.
  9250. 1Ki 14:31 Rehobhoamu ndokurara nemadzibaba ake, uye wakavigwa pamwe nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake raiva Naama muAmoni. Abhijamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9251. 1Ki 15:1 Zvino mugore regumi nemasere ramambo Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhijamu wakava mambo pamusoro paJudha.
  9252. 1Ki 15:2 Wakatonga makore matatu paJerusarema. Nezita ramai vake raiva Maaka, mukunda waAbhisharomi.
  9253. 1Ki 15:3 Zvino wakafamba muzvivi zvese zvababa vake, zvavakaita mberi kwake; uye moyo wake waiva usina kuperera kuna Jehovha Mwari wake, semoyo waDhavhidhi baba vake.
  9254. 1Ki 15:4 Asi nekuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake wakamupa mwenje paJerusarema, kugadza mwanakomana wake shure kwake, uye kusimbisa Jerusarema.
  9255. 1Ki 15:5 Nokuti Dhavhidhi waiita zvakarurama pameso aJehovha, uye haana kutsauka pane chipi nechipi chaakamuraira mazuva ese eupenyu hwake, kunze kwepanyaya yaUriya muHiti.
  9256. 1Ki 15:6 Zvino kwakava nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ese eupenyu hwake.
  9257. 1Ki 15:7 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAbhijamu nezvese zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha? Zvino kwakava nehondo pakati paAbhijamu naJerobhoamu.
  9258. 1Ki 15:8 Abhijamu ndokurara nemadzibaba ake, uye vakamuviga muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9259. 1Ki 15:9 Negore remakumi maviri raJerobhoamu mambo waIsraeri, wakatonga Asa mambo waJudha.
  9260. 1Ki 15:10 Zvino makore makumi mana nerimwe wakatonga paJerusarema, uye zita ramai vake raiva Maaka mukunda waAbhisharomi.
  9261. 1Ki 15:11 Zvino Asa wakaita zvakarurama pameso aJehovha saDhavhidhi baba vake.
  9262. 1Ki 15:12 Zvino wakabvisa ngochani panyika, ndokubvisa zvifananidzo zvese madzibaba ake zvaaiva aita.
  9263. 1Ki 15:13 Uyewo Maaka mai vake wakavabvisa pauhosi, nokuti vaiva vaita chinhu chinonyangadza kuva matanda ekunamata nawo; Asa ndokugura chinhu chake chinonyangadza ndokuchipisira murukova Kidhironi.
  9264. 1Ki 15:14 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; zvakadaro moyo waAsa waiva wakaperera kuna Jehovha mazuva ake ose.
  9265. 1Ki 15:15 Zvino wakapinza zvinhu baba vake zvavaiva vaita zvitsvene nezvinhu iye zvaaiva aita zvitsvene mumba maJehovha, sirivha negoridhe nemidziyo.
  9266. 1Ki 15:16 Zvino kwakava nehondo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsraeri mazuva avo ose.
  9267. 1Ki 15:17 Zvino Bhaasha mambo waIsraeri wakakwira kurwa naJudha, ndokuvaka Rama, kuti arege kutendera ani nani kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
  9268. 1Ki 15:18 Asa ndokutora sirivha yese negoridhe zvaiva zvasara pafuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, ndokuzvipa muruoko rwevaranda vake; mambo Asa ndokuzvitumira kuna Bheni-Hadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeziyoni mambo weSiriya waigara paDhamasiko, achiti:
  9269. 1Ki 15:19 Pane sungano pakati pangu newe, pakati pababa vangu nababa vako. Tarira, ndakutumira chipo, sirivha negoridhe; enda putsa sungano yako naBhaasha mambo waIsraeri, kuti abve kwandiri.
  9270. 1Ki 15:20 Bheni-Hadhadhi ndokuteerera mambo Asa, ndokutuma misoro yehondo dzaaiva nadzo achirwa nemaguta ekwaIsraeri, ndokurova Ijoni neDhani neAbheri-Bheti-Maaka neKineroti rese nenyika yese yaNafutari.
  9271. 1Ki 15:21 Zvino zvakaitika Bhaasha paakanzwa kuti wakamira kuvaka Rama; ndokugara Tiriza.
  9272. 1Ki 15:22 Zvino mambo Asa wakaita kudanidzira kuna Judha wese-hakuna wakasiiwa kunze-kuti vabvise mabwe eRama nematanda aro Bhaasha zvaaivaka nazvo; mambo Asa ndokuvaka nazvo Gebha rekwaBhenjamini neMizipa.
  9273. 1Ki 15:23 Zvino dzimwe dzenyaya dzose dzaAsa, nesimba rake rose, nezvese zvaakaita, nemaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzibaba aJudha? Asi panguva yekukwegura kwake waiva nechirwere pamakumbo ake.
  9274. 1Ki 15:24 Zvino Asa wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa pamwe nemadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9275. 1Ki 15:25 Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu ndokuva mambo pamusoro paIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo waJudha; ndokutonga pamusoro paIsraeri makore maviri.
  9276. 1Ki 15:26 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokufamba munzira yababa vake, nemuchivi chavo chavakaita Israeri atadze nacho.
  9277. 1Ki 15:27 Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija weimba yaIsasikari wakamurongera; Bhaasha ndokumurova paGibhetoni raiva revaFirisitia, apo Nadhabhi naIsraeri wese vaiva vakakomba Gibhetoni.
  9278. 1Ki 15:28 Bhaasha ndokumuurayawo mugore retatu raAsa mambo waJudha, ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9279. 1Ki 15:29 Zvino zvakaitika paaitonga kuti wakauraya vese veimba yaJerobhoamu; haana kusiya umwe anofema kwaJerobhoamu, kusvika amupedza, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwemuranda wake Ahija muShiro;
  9280. 1Ki 15:30 nekuda kwezvivi zvaJerobhoamu zvaakatadza uye zvaakaitisa kuti Israeri atadze nekutsamwisa kwake kwaakatsamwisa nako Jehovha Mwari waIsraeri.
  9281. 1Ki 15:31 Zvino dzimwe dzenyaya dzaNadhabhi, nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9282. 1Ki 15:32 Zvino kwakava nehondo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsraeri mazuva avo ose.
  9283. 1Ki 15:33 Mugore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija wakava mambo pamusoro paIsraeri wese paTiriza, makore makumi maviri nemana.
  9284. 1Ki 15:34 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokufamba nenzira yaJerobhoamu, nemuchivi chake chaakaita kuti Israeri atadze.
  9285. 1Ki 16:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani rakananga Bhaasha richiti:
  9286. 1Ki 16:2 Nekuda kwekuti ndakakusimudza kubva muguruva, ndokukuita mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri, asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, uye wakaita kuti vanhu vangu Israeri vatadze, ndokunditsamwisa nezvivi zvavo:
  9287. 1Ki 16:3 Tarira, ndichapedza chizvarwa chaBhaasha nechizvarwa cheimba yake; uye ndichaita imba yako seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
  9288. 1Ki 16:4 Anofa waBhaasha muguta imbwa dzichadya; uye wake anofa kusango shiri dzekumatenga dzichadya.
  9289. 1Ki 16:5 Zvino dzimwe dzenyaya dzaBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9290. 1Ki 16:6 Bhaasha ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa paTiriza; Era mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9291. 1Ki 16:7 Zvino shoko raJehovha rakasvikawo neruoko rwemuporofita Jehu mwanakomana waHanani rakanangana naBhaasha uye rakanangana neimba yake pamusorowo pezvakaipa zvese zvaakaita pameso aJehovha, kumutsamwisa nebasa remaoko ake, kuva seimba yaJerobhoamu, uye nekuda kwekuti wakamurova.
  9292. 1Ki 16:8 Mugore remakumi maviri nematanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha wakava mambo pamusoro paIsraeri paTiriza, makore maviri.
  9293. 1Ki 16:9 Zvino muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro, wakamurongera ari paTiriza, achizvinwira kudhakwa mumba maAriza waiva pamusoro peimba paTiriza.
  9294. 1Ki 16:10 Zvino Zimiri wakapinda ndokumurova ndokumuuraya mugore remakumi maviri nemanomwe raAsa mambo waJudha; ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9295. 1Ki 16:11 Zvino zvakaitika pakutonga kwake pakugara kwake pachigaro chake cheushe, wakarova imba yese yaBhaasha; haana kumusiira umwe anowetera pamadziro kana hama dzake kana shamwari dzake.
  9296. 1Ki 16:12 Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yese yaBhaasha, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura rakananga Bhaasha neruoko rwaJehu muporofita,
  9297. 1Ki 16:13 nekuda kwezvivi zvese zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakatadza nazvo, uye zvavakaita kuti Israeri atadze, kutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo.
  9298. 1Ki 16:14 Zvino dzimwe dzenyaya dzaEra nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9299. 1Ki 16:15 Zvino mugore remakumi maviri nemanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri wakatonga mazuva manomwe paTiriza. Zvino vanhu vakavaka musasa kurwisa Gibhetoni raiva revaFirisitia.
  9300. 1Ki 16:16 Zvino vanhu vaiva vakavaka musasa vakanzwa zvichinzi: Zimiri warongera uyewo wauraya mambo. Naizvozvo Israeri wese wakaisa Omiri, mukuru wehondo, kuva mambo pamusoro paIsraeri zuva iro mumusasa.
  9301. 1Ki 16:17 Zvino Omiri wakakwira kubva paGibhetoni, naIsraeri wese pamwe naye, zvino vakakomba Tiriza.
  9302. 1Ki 16:18 Zvino zvakaitika Zimiri paakaona kuti guta ratapwa, kuti wakapinda munhare yeimba yamambo, ndokupisa imba yamambo nemoto pamusoro pake, ndokufa.
  9303. 1Ki 16:19 Nekuda kwezvivi zvake zvaakatadza, nekuita zvakaipa pameso aJehovha, nekufamba nenzira yaJerobhoamu, nemuchivi chake chaakaita, kutadzisa Israeri.
  9304. 1Ki 16:20 Zvino dzimwe dzenyaya dzaZimiri, nekurongera kwake kwaakaronga, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9305. 1Ki 16:21 Ipapo vanhu vaIsraeri vakaparadzana kuita mahafu; hafu yevanhu yakatevera Tibhini mwanakomana waGinati kuti vamuite mambo, uye hafu yakatevera Omiri.
  9306. 1Ki 16:22 Asi vanhu vakatevera Omiri vakasimba kupfuura vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; Tibhini ndokufa, Omiri ndokutonga.
  9307. 1Ki 16:23 Mugore remakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri wakatonga pamusoro paIsraeri makore gumi nemaviri; paTiriza akatonga makore matanhatu.
  9308. 1Ki 16:24 Zvino wakatenga gomo reSamariya kuna Shemeri nematarenda maviri esirivha, ndokuvaka pagomo, ndokudana zita reguta raakavaka nezita raShemeri muridzi wegomo, kuti Samariya.
  9309. 1Ki 16:25 Asi Omiri wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokuita zvakaipa kupfuura vese vaiva mberi kwake.
  9310. 1Ki 16:26 Nokuti wakafamba nenzira yese yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nemuchivi chake chaakaita nacho kuti Israeri atadze, kutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri nezvinhu zvavo zvaiva zvisina maturo.
  9311. 1Ki 16:27 Zvino dzimwe dzenyaya dzaOmiri dzaakaita, nesimba rake raakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9312. 1Ki 16:28 Omiri ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa muSamariya; Ahabhi mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9313. 1Ki 16:29 Zvino mugore remakumi matatu nemasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakava mambo pamusoro paIsraeri; Ahabhi mwanakomana waOmiri ndokutonga pamusoro paIsraeri paSamariya makore makumi maviri nemaviri.
  9314. 1Ki 16:30 Ahabhi mwanakomana waOmiri ndokuita zvakaipa pameso aJehovha, kupfuura vose vaiva mberi kwake.
  9315. 1Ki 16:31 Zvino zvakaitika, sezvinonzi chaiva chinhu chakareruka kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, ndokutora mukadzi, Jezebheri mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, ndokuenda ndokunomushumira Bhaari, akamunamata.
  9316. 1Ki 16:32 Zvino wakamisira Bhaari aritari muimba yaBhaari yaakavaka paSamariya.
  9317. 1Ki 16:33 Ahabhi ndokuita matanda ekunamata nawo; Ahabhi ndokuwedzera kuita kutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri kupfuura madzimambo ese aIsraeri akavapo mberi kwake.
  9318. 1Ki 16:34 Mumazuva ake Hieri muBheteri wakavaka Jeriko; ndokuisa nheyo dzaro naAbhiramu dangwe rake, ndokumisa mikova yaro naSegubhi gotwe rake; zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwaJoshua mwanakomana waNuni.
  9319. 1Ki 17:1 Zvino Eria muTishibhi wevagari veGiriyadhi wakati kuna Ahabhi: [Na]Jehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, kunze kwekuti zvaenderana neshoko rangu.
  9320. 1Ki 17:2 Shoko raJehovha ndokusvika kwaari richiti:
  9321. 1Ki 17:3 Ibva pano, iwe utendeukire kumabvazuva, uye uzvivanze parukova Keriti rwuri mberi kwaJoridhani.
  9322. 1Ki 17:4 Zvino zvichaitika, uchanwa parukova; uye ndaraira makunguvo kukuriritira ipapo.
  9323. 1Ki 17:5 Naizvozvo wakaenda ndokuita zvinoenderana neshoko raJehovha; nokuti wakaenda ndokugara parukova Keriti rwuri mberi kwaJoridhani.
  9324. 1Ki 17:6 Zvino makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, uye chingwa nenyama madekwani; ndokunwa parukova.
  9325. 1Ki 17:7 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva kuti rukova rwakapwa; nokuti kwaiva kusina mvura panyika.
  9326. 1Ki 17:8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti:
  9327. 1Ki 17:9 Simuka, uende kuZarefati riri reSidhoni, ugogarapo; tarira, ndaraira mukadzi chirikadzi ipapo kukuriritira.
  9328. 1Ki 17:10 Zvino wakasimuka ndokuenda kuZarefati. Paakasvika pasuwo reguta, tarira, mukadzi chirikadzi waivapo achiunganidza huni. Zvino wakadana kwaari ndokuti: Nditorerei henyu mvura shoma mumukombe ndinwe.
  9329. 1Ki 17:11 Paaienda kunoitora, wakamudana ndokuti: Ndivigirei henyu chimedu chechingwa muruoko rwenyu.
  9330. 1Ki 17:12 Zvino wakati: NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina keke, asi ruoko rwuzere rweupfu mudenhe, nemafuta mashoma muchinu; zvino tarirai, ndiri kuunganidza huni mbiri, kuti ndipinde ndizvigadzirire ini nemwanakomana wangu, kuti tidye tigofa.
  9331. 1Ki 17:13 Eria ndokuti kwaari: Usatya; enda uite zvinoenderana neshoko rako; asi ndiitire pakutanga keke diki nazvo, ubudisire kwandiri; uye shure kwaizvozvo uchazviitira iwe nemwanakomana wako.
  9332. 1Ki 17:14 Nokuti ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Denhe reupfu haringapedzwi, uye chinu chemafuta hachingashaiwi, kusvika pazuva Jehovha raachapa mvura pachiso chenyika.
  9333. 1Ki 17:15 Zvino wakaenda ndokuita zvaienderana neshoko raEria; zvino vakadya iye pamwe naye neimba yake mazuva mazhinji.
  9334. 1Ki 17:16 Denhe reupfu harina kupedzwa uye chinu chemafuta hachina kushaiwa, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwaEria.
  9335. 1Ki 17:17 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti mwanakomana wemukadzi mwene weimba wakarwara; uye urwere hwake hwairwadza kwazvo kusvika kusina kusara mweya maari.
  9336. 1Ki 17:18 Zvino mukadzi wakati kuna Eria: Ndinei nemwi, munhu waMwari? Makauya kwandiri kurangaridza chivi changu, uye kuuraya mwanakomana wangu here?
  9337. 1Ki 17:19 Zvino wakati kwaari: Ndipe mwanakomana wako. Zvino wakamutora kubva pachifuva chake ndokumukwidza muimba yepamusoro maaigara, ndokumuradzika pamubhedha wake.
  9338. 1Ki 17:20 Zvino wakadanidzira kuna Jehovha ndokuti: Jehovha Mwari wangu, mawisira chakaipawo kumukadzi wandakava mweni pamwe naye nekuuraya mwanakomana wake here?
  9339. 1Ki 17:21 Zvino wakatsivama pamusoro pemwana katatu, ndokudanidzira kuna Jehovha, ndokuti: Jehovha Mwari wangu, mweya weupenyu wemwana uyu ngaudzokere hawo mukati make.
  9340. 1Ki 17:22 Zvino Jehovha wakanzwa inzwi raEria; mweya weupenyu wemwana ndokudzokera mukati make, akararamazve.
  9341. 1Ki 17:23 Zvino Eria wakatora mwana ndokumuburusa kubva muimba yekumusoro ndokuenda mumba ndokumupa kuna mai vake. Eria ndokuti: Onai, mwanakomana wenyu mupenyu.
  9342. 1Ki 17:24 Mukadzi ndokuti kuna Eria: Ikozvino ndinoziva ichi, kuti muri munhu waMwari, uye shoko raJehovha riri mumuromo menyu nderechokwadi.
  9343. 1Ki 18:1 Zvino zvakaitika [shure] kwemazuva mazhinji kuti shoko raJehovha rakasvika kuna Eria mugore rechitatu richiti: Enda uzviratidze kuna Ahabhi; ndigopa mvura pachiso chenyika.
  9344. 1Ki 18:2 Zvino Eria wakaenda kunozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yaiva yakasimba paSamariya.
  9345. 1Ki 18:3 Ahabhi ndokudana kuna Obhadhia, iye waiva pamusoro peimba yake. Zvino Obhadhia waitya Jehovha kwazvo.
  9346. 1Ki 18:4 Nokuti kwakati Jezebheri paaiuraya vaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita zana akavavanza varume makumi mashanu mubako, ndokuvariritira nechingwa nemvura.
  9347. 1Ki 18:5 Zvino Ahabhi wakati kuna Obhadhia: Enda munyika kuzvitubu zvose zvemvura nekuhova dzose; zvimwe tingawana uswa kuchengetedza mabhiza nemanyurusi zviri zvipenyu, tirege kuparadza chimwe chezvipfuwo.
  9348. 1Ki 18:6 Zvino vakagovana nyika kuti vapfuure nemairi. Ahabhi ndokuenda ari ega neimwe nzira, Obhadhia akaendawo ari ega neimwe nzira.
  9349. 1Ki 18:7 Zvino kwakati Obhadhia ari munzira, tarira, Eria wakasangana naye; ndokumuziva ndokuwa nechiso chake ndokuti: Ndimwi here, ishe wangu Eria?
  9350. 1Ki 18:8 Iye ndokuti kwaari: Ndini; enda unoudza ishe wako uti: Tarirai, Eria ari pano.
  9351. 1Ki 18:9 Iye ndokuti: Ndatadzei, kuti muise muranda wenyu muruoko rwaAhabhi, kuti andiuraye?
  9352. 1Ki 18:10 NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapana rudzi kana ushe ishe wangu kwaasina kutuma nhume kukutsvakai; pavaiti: Haako; vaipikisa mhiko ushe uhwo kana rudzi urwo kuti havana kukuwanai.
  9353. 1Ki 18:11 Zvino ikozvino munoti: Enda unoudza ishe wako kuti: Tarirai, Eria ari pano.
  9354. 1Ki 18:12 Zvino zvichaitika ini ndichibva pamuri, kuti Mweya waJehovha uchakutakurirai kwandisingazivi. Pandichasvika ndokuudza Ahabhi, iye ndokusakuwanai, achandiuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva paudiki hwangu.
  9355. 1Ki 18:13 Hazvina kuudzwa ishe wangu here izvo zvandakaita pakuuraya kwaJezebheri vaporofita vaJehovha, kuti ndakavanza varume zana vevaporofita vaJehovha, makumi mashanu nemakumi mashanu mubako, ndokuvariritira nechingwa nemvura?
  9356. 1Ki 18:14 Zvino ikozvino munoti: Enda iti kuna ishe wako: Tarirai, Eria ari pano; zvino achandiuraya.
  9357. 1Ki 18:15 Zvino Eria wakati: NaJehovha wehondo mupenyu wandimire pamberi pake, zvirokwazvo ndichazviratidza kwaari nhasi.
  9358. 1Ki 18:16 Naizvozvo Obhadhia wakaenda kunosangana naAhabhi, ndokumuudza; Ahabhi ndokunosangana naEria.
  9359. 1Ki 18:17 Zvino zvakaitika Ahabhi paakaona Eria, Ahabhi ndokuti kwaari: Ndiwe here mutambudzi waIsraeri?
  9360. 1Ki 18:18 Zvino wakati: Handina kutambudza Israeri, asi ndiwe neimba yababa vako, pakuti makasiya mirairo yaJehovha, uye makatevera vana Bhaari.
  9361. 1Ki 18:19 Naizvozvo ikozvino tumai mundiunganidzire Israeri wose pagomo reKarimeri, nevaporofita vaBhaari mazana mana nemakumi mashanu, nevaporofita vematanda ekunamata nawo vane mazana mana, vanodya patafura yaJezebheri.
  9362. 1Ki 18:20 Naizvozvo Ahabhi akatuma nhume kuvana vaIsraeri vose, ndokuunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.
  9363. 1Ki 18:21 Zvino Eria wakaswedera kuvanhu vose ndokuti: Kusvika rinhi muchikamhina pamifungo miviri? Kana Jehovha ari Mwari, mutevere iye, asi kana ari Bhaari, mumutevere. Asi vanhu havana kumupindura shoko.
  9364. 1Ki 18:22 Eria ndokuti kuvanhu: Ini ndoga ndini muporofita waJehovha wasara, asi vaporofita vaBhaari varume mazana mana nemakumi mashanu.
  9365. 1Ki 18:23 Naizvozvo ngavatipe nzombe diki mbiri, uye ngavazvitsaurire nzombe diki imwe, vaigura kuita nhindi, vagoiisa pamusoro pehuni, vagorega kuisa moto; neni ndichagadzira imwe nzombe diki ndokuisa pamusoro pehuni, ndigosaisa moto.
  9366. 1Ki 18:24 Zvino mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; uye Mwari anopindura nemoto ndiye Mwari. Vanhu vose ndokupindura ndokuti: Shoko rakanaka.
  9367. 1Ki 18:25 Zvino Eria wakati kuvaporofita vaBhaari: Zvisarudzirei nzombe diki imwe mutange kugadzira, nokuti muri vazhinji; mugodana zita ramwari wenyu, asi musaisa moto.
  9368. 1Ki 18:26 Zvino vakatora nzombe diki yavakapiwa, ndokuigadzira, ndokudana zita raBhaari kubva mangwanani kusvika masikati makuru, vachiti: Bhaari, tipindure! Asi hakuna kuva neinzwi, hakuna kuva neanopindura. Zvino vakakwakuka pamusoro pearitari yaiva yakaitwa.
  9369. 1Ki 18:27 Zvino zvakaitika pamasikati makuru, kuti Eria wakavasveveredza, ndokuti: Danidzirai nenzwi guru; nokuti ndimwari, nokuti anofunganya, kana kuti wambosuduruka, kana kuti ari parwendo, zvimwe arere uye kuti amutswe.
  9370. 1Ki 18:28 Zvino vakadanidzira nenzwi guru, ndokuzvicheka zvichitevera tsika yavo neminondo nemapfumo, kusvika ropa radzatuka pavari.
  9371. 1Ki 18:29 Zvino zvakaitika masikati makuru apfuura, kuti vakaporofita kusvika panguva yekupa yechipo; asi hakuna kuva nenzwi, uye hakuna kuva neanopindura, uye hakuna kuva neane hanya.
  9372. 1Ki 18:30 Zvino Eria wakati kuvanhu vese: Swederai kwandiri. Vanhu vose ndokuswedera kwaari. Zvino wakagadzirisa aritari yaJehovha yaiva yakaputsika.
  9373. 1Ki 18:31 Eria ndokutora mabwe gumi nemaviri zvichienderana neuwandu hwemarudzi evanakomana vaJakove uyo kwaari kwakauya shoko raJehovha richiti: Zita rako richava Israeri.
  9374. 1Ki 18:32 Zvino nemabwe awa wakavaka aritari nezita raJehovha; ndokuita mugero zvichienderana nechiyero chemaseya maviri embeu kupoteredza aritari.
  9375. 1Ki 18:33 Zvino wakaronga huni, ndokugura nzombe diki kuita nhindi, ndokuisa pamusoro pehuni, ndokuti: Zadzai zvirongo zvina nemvura, mugodira pamusoro pechipo chinopiswa, nepamusoro pehuni.
  9376. 1Ki 18:34 Zvino wakati: Itai rwechipiri; ivo ndokuita rwechipiri. Zvino wakati: Itai rwechitatu; vakaita rwechitatu.
  9377. 1Ki 18:35 Mvura ndokufamba kupoteredza aritari; akazadzawo mugero nemvura.
  9378. 1Ki 18:36 Zvino zvakaitika pakupa chipo, kuti Eria muporofita wakaswedera, ndokuti: Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka, naIsraeri, ngazvizikanwe nhasi kuti muri Mwari kwaIsraeri, neni muranda wenyu, uye ndakaita zvinhu izvi zvose neshoko renyu.
  9379. 1Ki 18:37 Ndipindurei Jehovha, ndipindurei, kuti vanhu ava vazive kuti imwi muri Jehovha Mwari, uye kuti imwi matendeuka kudzora moyo wavo.
  9380. 1Ki 18:38 Zvino moto waJehovha wakawa, ndokupedza chipo chinopiswa, nehuni, nemabwe, neguruva, ukananzva mvura yaiva mumugero.
  9381. 1Ki 18:39 Vanhu vose pavakaona vakawa nezviso zvavo ndokuti: Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!
  9382. 1Ki 18:40 Eria ndokuti kwavari: Batai vaporofita vaBhaari, ngakurege kuva neumwe wavo anopukunyuka. Zvino vakavabata; Eria ndokuvaburusira kurukova Kishoni, ndokuvaurairapo.
  9383. 1Ki 18:41 Zvino Eria wakati kuna Ahabhi: Simuka udye unwe, nokuti kune ruzha rwekuunga kwemvura.
  9384. 1Ki 18:42 Zvino Ahabhi wakakwira kunodya nekunwa. Eria ndokukwira kunhongonya yeKarimeri, akakotamira pasi, akaisa chiso chake pakati pemabvi ake.
  9385. 1Ki 18:43 Ndokuti kumuranda wake: Kwira ikozvino, tarira nechekugungwa. Zvino wakakwira ndokutarira ndokuti: Hakuna chinhu. Iye ndokuti: Dzokera; kanomwe.
  9386. 1Ki 18:44 Zvino zvakaitika kechinomwe kuti wakati: Tarirai, kakore kakaita sechanza chemunhu kanokwira kubva mugungwa. Iye ndokuti: Kwira unoudza Ahabhi: Sunga ngoro uburuke, zvimwe mvura ingakudzivirira.
  9387. 1Ki 18:45 Zvino zvakaitika munguva diki kuti matenga akasviba, makore makobvu nemhepo, uye kwaiva nemvura zhinji. Ahabhi ndokukwira ngoro, ndokuenda kuna Jezireeri.
  9388. 1Ki 18:46 Zvino ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro paEria; iye ndokusunga chiuno chake, ndokumhanya mberi kwaAhabhi kusvika pakupinda Jezireeri.
  9389. 1Ki 19:1 Zvino Ahabhi wakaudza Jezebheri zvose Eria zvaaiva aita, nevose vaakauraya, vaporofita vose nemunondo.
  9390. 1Ki 19:2 Zvino Jezebheri wakatuma nhume kuna Eria achiti: Ngavaite saizvozvo vamwari, ngavawedzere saizvozvo, zvirokwazvo nenguva inenge ino mangwana ndikaita upenyu hwako huve seupenyu hweumwe wavo.
  9391. 1Ki 19:3 Wakati aona izvozvo wakasimuka ndokuenda nekuda kweupenyu hwake, ndokusvika paBheeri-Shebha rinova raJudha, ndokusiyapo muranda wake.
  9392. 1Ki 19:4 Asi iye wakafamba rwendo rwezuva kurenje, ndokusvika ndokugara pazasi peumwe muti wemurotemu, ndokukumbira kuti mweya wake ufe, ndokuti: Zvaringana; ikozvino Jehovha torai henyu upenyu hwangu, nokuti handisi nani kumadzibaba angu.
  9393. 1Ki 19:5 Zvino wakati akatsivama akarara pazasi peumwe muti wemurotemu; zvino tarira, ipapo mutumwa wakamugunzva ndokuti kwaari: Simuka, udye.
  9394. 1Ki 19:6 Zvino wakacherekedza, zvino tarira, panzvimbo yemusoro wake bundu rekeke rakabhekewa pamazimbe uye guchu remvura. Zvino wakadya ndokunwa, ndokurarazve.
  9395. 1Ki 19:7 Zvino mutumwa waJehovha wakasvika rwechipiri ndokumugunzva, ndokuti: Simuka udye, nokuti rwendo rukurusa kwauri.
  9396. 1Ki 19:8 Zvino wakasimuka ndokudya ndokunwa, ndokufamba nesimba rezvekudya izvo mazuva makumi mana neusiku makumi mana kusvika paHorebhu, gomo raMwari.
  9397. 1Ki 19:9 Zvino wakapindapo mubako ndokuraramo usiku. Zvino tarira, inzwi raJehovha rakasvika kwaari rikati kwaari: Sei uri pano Eria?
  9398. 1Ki 19:10 Zvino wakati: Ndanga ndichishingairira zvekushingairira Jehovha Mwari wehondo, nokuti vana vaIsraeri vakasiya sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaporofita venyu nemunondo; uye ndini ndega ndasara; zvino vanotsvaka upenyu hwangu kuhutora.
  9399. 1Ki 19:11 Iye ndokuti: Buda umire pagomo pamberi paJehovha. Zvino tarira, Jehovha anopfuura, uye mhepo huru ine simba yakabvarura makomo ndokuputsanya mabwe pamberi paJehovha; Jehovha waiva asiri mumhepo. Zvino shure kwemhepo kudengenyeka kwenyika; Jehovha waiva asiri mukudengenyeka kwenyika.
  9400. 1Ki 19:12 Uye shure kwekudengenyeka kwenyika moto; Jehovha waiva asiri mumoto; zvino shure kwemoto inzwi diki rakadzikama.
  9401. 1Ki 19:13 Zvino zvakaitika Eria paakanzwa, wakamonera chiso chake nenguvo yake ndokubuda ndokumira pamuromo webako. Zvino tarira, inzwi kwaari uye rakati: Sei uri pano, Eria?
  9402. 1Ki 19:14 Iye ndokuti: Ndaishingairira zvekushingairira Jehovha Mwari wehondo, nokuti vana vaIsraeri vakasiya sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaporofita venyu nemunondo; uye ndini ndega ndasara; zvino vanotsvaka upenyu hwangu kuhutora.
  9403. 1Ki 19:15 Zvino Jehovha wakati kwaari: Enda, udzokere nenzira yako kurenje reDhamasiko; paunenge wasvika uzodze Hazaeri ave mambo pamusoro peSiriya.
  9404. 1Ki 19:16 Uye Jehu mwanakomana waNimishi uchamuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri. Uye Erisha mwanakomana waShafati weAbheri-Mehora uchamuzodza kuva muporofita pachinzvimbo chako.
  9405. 1Ki 19:17 Zvino zvichaitika kuti anopukunyuka pamunondo waHazaeri, Jehu achauraya; neanopukunyuka pamunondo waJehu, Erisha achauraya.
  9406. 1Ki 19:18 Zvakadaro ndasiya kwaIsraeri zvuru zvinomwe, mabvi ose asina kufugamira Bhaari, nemuromo wose usina kumutsvoda.
  9407. 1Ki 19:19 Zvino wakabvapo ndokuwana Erisha mwanakomana waShafati, wairima nezvipani gumi nezviviri pamberi pake, iye ane chegumi nezviviri. Eria ndokupfuura nekwaari, ndokukanda nguvo yake pamusoro pake.
  9408. 1Ki 19:20 Zvino wakasiya nzombe, ndokumhanya achitevera Eria, ndokuti: Regai henyu nditsvode baba vangu namai vangu ndigokuteverai. Iye ndokuti kwaari: Enda udzokere, nokuti ndaitei kwauri?
  9409. 1Ki 19:21 Zvino wakadzoka pakumutevera, ndokutora chipani chenzombe, ndokuchibaya, akabika nenhumbi dzenzombe nyama yadzo, ndokupa vanhu, ivo ndokudya. Zvino wakasimuka, ndokutevera Eria, ndokumushandira.
  9410. 1Ki 20:1 Zvino Bheni-Hadhadhi, mambo weSiriya, wakaunganidza hondo yake yose. Zvino kwaiva nemadzimambo makumi matatu nemaviri pamwe naye, nemabhiza nengoro; ndokukwira ndokukomba Samariya, ndokurwa naro.
  9411. 1Ki 20:2 Zvino wakatuma nhume kuna Ahabhi mambo waIsraeri muguta, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Bheni-Hadhadhi:
  9412. 1Ki 20:3 Sirivha yako negoridhe rako ndezvangu, nevakadzi vako nevana vako vakanakisisa ndevangu.
  9413. 1Ki 20:4 Zvino mambo waIsraeri akapindura ndokuti: Zvichienderana neshoko renyu, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.
  9414. 1Ki 20:5 Nhume dzikadzoka ndokuti: Ndizvo zvinoreva Bheni-Hadhadhi achiti: Kunyange ndakatuma kwauri ndichiti: Sirivha yako negoridhe rako, nevakadzi vako nevana vako, uzvipe kwandiri;
  9415. 1Ki 20:6 zvakadaro ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva inenge ino; vachanzvera imba yako nedzimba dzevaranda vako; uye zvichaitika kuti chinhu chose chinodikanwa pameso ako vachaisa muruoko rwavo ndokutora.
  9416. 1Ki 20:7 Zvino mambo waIsraeri wakadana vakuru vose venyika, ndokuti: Cherekedzai henyu muone kuti munhu uyu anotsvaka chakaipa; nokuti wakatuma kwandiri zvevakadzi vangu nezvevana vangu nezvesirivha yangu nezvegoridhe rangu, ndikasamunyima.
  9417. 1Ki 20:8 Zvino vakuru vose nevanhu vose vakati kwaari: Usateerera uye usabvuma.
  9418. 1Ki 20:9 Naizvozvo wakati kunhume dzaBheni-Hadhadhi: Udzai ishe wangu mambo: Zvose zvamakatuma kumuranda wenyu pakutanga ndichaita, asi chinhu ichi handikwanisi kuita. Zvino nhume dzakaenda, ndokumudzosera shoko.
  9419. 1Ki 20:10 Zvino Bheni-Hadhadhi wakatuma kwaari ndokuti: Vamwari ngavaite saizvozvo kwandiri, vawedzere saizvozvo, kana guruva reSamariya rikaringana maoko azere aivo vanhu vose vanonditevera.
  9420. 1Ki 20:11 Zvino mambo waIsraeri wakapindura ndokuti: Muudzei: Anosungira zvombo muchiuno ngaarege kuzvikudza seanozvisunungura.
  9421. 1Ki 20:12 Zvino zvakaitika paakanzwa shoko iri achiri kunwa, iye nemadzimambo mumisasa, kuti wakati kuvaranda vake: Zvimisei! Zvino vakazvimisira kurwisa guta.
  9422. 1Ki 20:13 Zvino tarira, kwakaswedera umwe muporofita kuna Ahabhi mambo waIsraeri, iye ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Unochiona chaunga ichi chose chikuru here? Tarira, ndichachipa muruoko rwako nhasi; uye uchaziva kuti ini ndiri Jehovha.
  9423. 1Ki 20:14 Ahabhi ndokuti: Nani? Iye ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nemajaya emachinda ematunhu. Iye ndokuti: Ndiani achavamba hondo? Iye ndokuti: Iwe!
  9424. 1Ki 20:15 Zvino wakaverenga majaya emachinda ematunhu; uye vaiva mazana maviri nemakumi matatu nemaviri. Zvino shure kwavo wakaverenga vanhu vose, vana vose vaIsraeri, zvuru zvinomwe.
  9425. 1Ki 20:16 Zvino vakabuda pamasikati makuru. Zvino Bheni-Hadhadhi ainwira kudhakwa mumisasa, iye nemadzimambo, madzimambo makumi matatu nemaviri aimubatsira.
  9426. 1Ki 20:17 Zvino majaya emachinda ematunhu akatanga kubuda. Bheni-Hadhadhi ndokutuma nhume, zvino vakamuudza vachiti: Kwabuda varume paSamariya.
  9427. 1Ki 20:18 Iye ndokuti: Kunyange vabudira rugare, vabatei vari vapenyu, kana kunyange vabudira hondo, vabatei vari vapenyu.
  9428. 1Ki 20:19 Zvino ava vakabuda muguta, majaya emachinda ematunhu, nehondo yakavatevera.
  9429. 1Ki 20:20 Zvino vakauraya umwe neumwe munhu wake. VaSiriya ndokutiza, Israeri ndokuvadzingirira. Uye Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya wakapukunyuka nebhiza pamwe nevatasvi vemabhiza.
  9430. 1Ki 20:21 Zvino mambo waIsraeri wakabuda, ndokurova mabhiza nengoro, ndokuuraya VaSiriya nekuuraya kukuru.
  9431. 1Ki 20:22 Zvino muporofita wakaswedera kuna mambo waIsraeri ndokuti kwaari: Enda unozvisimbisa, uchenjerere uye uone zvaunoita; nokuti pakudzoka kwegore mambo weSiriya achakwira kukurwisa.
  9432. 1Ki 20:23 Zvino varanda vamambo weSiriya vakati kwaari: Vamwari vavo ndivamwari vemakomo; saka vakasimba panesu. Asi zvirokwazvo ngativarwise mubani; zvirokwazvo tichasimba pana ivo.
  9433. 1Ki 20:24 Zvino ita chinhu ichi: Bvisa madzimambo, umwe neumwe kubva panzvimbo yake, uise vatariri panzvimbo yavo.
  9434. 1Ki 20:25 Uye iwe uzviverengere hondo sehondo yakawa kwauri, uye bhiza pabhiza, nengoro pangoro, tigorwa navo pabani; zvirokwazvo tichasimba pana ivo. Zvino wakateerera inzwi ravo, ndokuita saizvozvo.
  9435. 1Ki 20:26 Zvino zvakaitika pakudzoka kwegore, kuti Bheni-Hadhadhi wakaverenga VaSiriya, ndokukwira kuAfeki kunorwa naIsraeri.
  9436. 1Ki 20:27 Vana vaIsraeri vakaverengwawo, ndokupiwa mbuva, ndokubuda kuvarwisa; vana vaIsraeri ndokudzika matende mberi kwavo sezvipoka zviviri zvembudzi, asi VaSiriya vakazadza nyika.
  9437. 1Ki 20:28 Zvino kwakaswedera munhu waMwari ndokutaura kuna mambo waIsraeri ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nekuda kwekuti VaSiriya vakati: Jehovha ndiMwari wemakomo, asi haasi Mwari wemipata, naizvozvo ndichapa chaunga ichi chose chikuru muruoko rwako; zvino muchaziva kuti ini ndiri Jehovha.
  9438. 1Ki 20:29 Zvino vakadzika misasa, ava vakatarisana neava mazuva manomwe. Zvino kwakati nezuva rechinomwe, hondo yakasangana; vana vaIsraeri ndokuuraya VaSiriya vaifamba nemakumbo, zvuru zana nezuva rimwe.
  9439. 1Ki 20:30 Asi vakasara vakatizira kuAfeki kuguta; rusvingo ndokuwira pamusoro pevarume zvuru makumi maviri nezvinomwe vaiva vasara. NaBheni-Hadhadhi wakatiza ndokupinda muguta mukamuri yemukati.
  9440. 1Ki 20:31 Zvino varanda vake vakati kwaari: Zvino tarirai, tanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo ane nyasha; rega hako tiise masaga pazviuno zvedu, uye tambo pamisoro yedu, tigobudira kuna mambo waIsraeri; zvimwe achachengeta mweya wenyu uri mupenyu.
  9441. 1Ki 20:32 Naizvozvo vakasunga masaga pazviuno zvavo, netambo pamisoro yavo, ndokusvika kuna mambo waIsraeri ndokuti: Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi anoti: Ndiregei henyu ndirarame. Iye ndokuti: Achiri mupenyu here? Ihama yangu.
  9442. 1Ki 20:33 Varume avo ndokuchenjerera nekushingaira ndokukurumidza kugamuchira shoko kubva kwaari, ndokuti: Bheni-Hadhadhi hama yenyu. Ndokuti: Endai, mumutore. Bheni-Hadhadhi ndokubudira kwaari; ndokumukwidza pangoro.
  9443. 1Ki 20:34 Zvino Bheni-Hadhadhi wakati kwaari: Maguta baba vangu avakatora kuna baba vako ndichadzosera, uye muchazviitira mugwagwa muDhamasiko, baba vangu seyavakaita muSamariya. Ahabhi ndokuti: Ini ndichakurega uende nesungano iyi. Zvino wakaita sungano naye akamurega achienda.
  9444. 1Ki 20:35 Zvino umwe murume wevanakomana vevaporofita wakati kumuvakidzani wake neshoko raJehovha: Ndirove hako. Murume ndokuramba kumurova.
  9445. 1Ki 20:36 Zvino wakati kwaari: Nekuda kwekuti hauna kuteerera kuinzwi raJehovha, tarira, uchangobva kwandiri, shumba ichakuuraya. Wakati achangobva kwaari, shumba yakamuwana, ndokumuuraya.
  9446. 1Ki 20:37 Zvino wakawana umwe murume ndokuti: Ndirove hako. Murume ndokumurova, kurova nekukuvadza.
  9447. 1Ki 20:38 Naizvozvo muporofita wakabva, ndokumirira mambo panzira, ndokuzvivanza chimiro nemucheka pameso ake.
  9448. 1Ki 20:39 Zvino zvakaitika mambo paaipfuura kuti iye wakadanidzira kuna mambo, ndokuti: Muranda wenyu wakabudira mukati mehondo, zvino tarira, munhu wakatsauka ndokuunza munhu kwandiri, ndokuti: Chengeta munhu uyu. Kana akarasika zvekurasika, ipapo upenyu hwako huchava pachinzvimbo cheupenyu hwake, kana uripe tarenda resirivha.
  9449. 1Ki 20:40 Muranda wenyu paaiva akabatikana pano nepapo, iye wakava asipo. Mambo waIsraeri ndokuti kwaari: Mutongo wako wakadaro, wautema iwe.
  9450. 1Ki 20:41 Zvino wakakurumidza ndokubvisa mucheka kubva pameso ake; mambo waIsraeri ndokumuziva kuti ndeumwe wevaporofita.
  9451. 1Ki 20:42 Zvino iye wakati kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nokuti warega kuti abude muruoko rwako munhu wandakamisira kumuparadza, naizvozvo upenyu hwako huchava pachinzvimbo cheupenyu hwake, nevanhu vako pachinzvimbo chevanhu vake.
  9452. 1Ki 20:43 Naizvozvo mambo waIsraeri wakaenda kumba kwake aremerwa, atsamwa, ndokusvika kuSamariya.
  9453. 1Ki 21:1 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, Nabhoti muJezireeri waiva ane munda wemizambiringa waiva paJezireeri pedo neimba yeushe yaAhabhi mambo weSamariya.
  9454. 1Ki 21:2 Zvino Ahabhi wakataura kuna Nabhoti achiti: Ndipe munda wako wemizambiringa kuti uve kwandiri munda wemiriwo, nokuti uri pedo parutivi rweimba yangu; ndigokupa munda wemizambiringa uri nani pane uyu pachinzvimbo chawo; kana zvakanaka pameso ako, ndichakupa mari yemutengo wawo.
  9455. 1Ki 21:3 Zvino Nabhoti wakati kuna Ahabhi: Ngazvive kure neni kuna Jehovha, kuti ndikupei nhaka yemadzibaba angu.
  9456. 1Ki 21:4 Zvino Ahabhi wakapinda mumba make akaremerwa uye akatsamwa nekuda kweshoko Nabhoti muJezireeri raakataura kwaari; nokuti wakati: Handingakupii nhaka yemadzibaba angu. Zvino wakatsivama pamubhedha wake, ndokutendeusa chiso chake, uye haana kudya zvekudya.
  9457. 1Ki 21:5 Zvino Jezebheri mukadzi wake wakapinda kwaari ndokutaura kwaari: Sei mweya wenyu wakanuva kuti musadya zvekudya?
  9458. 1Ki 21:6 Zvino wakati kwaari: Nokuti ndataura kuna Nabhoti muJezireeri ndokuti kwaari: Ndipe munda wako wemizambiringa ndiutenge nemari, kana kuti kana uchida ndichakupa munda wemizambiringa pachinzvimbo chawo; iye ndokuti: Handingakupii munda wangu wemizambiringa.
  9459. 1Ki 21:7 Zvino Jezebheri mukadzi wake wakati kwaari: Ikozvino ndimwi munotonga ushe pamusoro paIsraeri? Mukai, mudye zvekudya, uye moyo wenyu ufare; ndichakupai ini munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.
  9460. 1Ki 21:8 Naizvozvo wakanyora tsamba muzita raAhabhi, ndokudzidhinda nechidhindo chake, ndokutuma tsamba kuvakuru nekumachinda vaiva muguta rake, vagere naNabhoti.
  9461. 1Ki 21:9 Zvino wakanyora mudzitsamba achiti: Danidzirai mutsanyo mugogarisa Nabhoti pamusoro pevanhu.
  9462. 1Ki 21:10 Zvino muise varume vaviri vanakomana vaBheriari pakatarisana naye kuti vapupure kupokana naye vachiti: Wakatuka Mwari namambo. Zvino vachamubudisa vamutake nemabwe kusvika afa.
  9463. 1Ki 21:11 Zvino varume veguta rake, vakuru nemachinda vaigara muguta rake vakaita Jezebheri sezvaaiva atuma kwavari, sezvaiva zvakanyorwa mutsamba dzaaiva avatumira.
  9464. 1Ki 21:12 Vakadanidzira mutsanyo, ndokugarisa Nabhoti pamusoro pevanhu.
  9465. 1Ki 21:13 Zvino kwakapinda varume vaviri vanakomana vaBheriari, ndokugara pamberi pake; vanakomana vaBheriari ndokumupupurira, kurwisa Nabhoti, pamberi pevanhu, vachiti: Nabhoti wanyomba Mwari namambo. Zvino vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe kusvika afa.
  9466. 1Ki 21:14 Zvino vakatuma kuna Jezebheri, vachiti: Nabhoti watakwa nemabwe, uye wafa.
  9467. 1Ki 21:15 Zvino zvakaitika Jezebheri paakanzwa kuti Nabhoti watakwa nemabwe, uye wafa, kuti Jezebheri wakati kuna Ahabhi: Muka, utore munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri uve wako, waakaramba kukupa nemari, nokuti Nabhoti haasi mupenyu, asi wafa.
  9468. 1Ki 21:16 Zvino zvakaitika pakunzwa kwaAhabhi kuti Nabhoti wafa, kuti Ahabhi wakasimuka kuburukira kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri, kuuita wake.
  9469. 1Ki 21:17 Zvino kwakasvika shoko raJehovha kuna Eria muTishibhi richiti:
  9470. 1Ki 21:18 Simuka uburukire kunosangana naAhabhi mambo waIsraeri ari muSamariya; tarira, ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kunouita wake.
  9471. 1Ki 21:19 Zvino uchataura kwaari uchiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Wauraya uye watora kuva zvako here? Uye uchataura kwaari uchiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Panzvimbo imbwa padzananzva ropa raNabhoti, imbwa dzichananzva ropa rako, iro rakowo.
  9472. 1Ki 21:20 Zvino Ahabhi wakati kuna Eria: Wandiwana here, iwe muvengi wangu? Iye ndokuti: Ndakuwana; nekuda kwekuzvitengesa kwako kuita chakaipa pameso aJehovha.
  9473. 1Ki 21:21 Tarira, ndichauisa chakaipa pamusoro pako, uye ndichatsvaira chizvarwa chako, uye ndichagura kubva kuna Ahabhi anowetera pamadziro newakavharirwa newakasununguka kwaIsraeri.
  9474. 1Ki 21:22 Zvino ndichaita imba yako seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nekuda kwekutsamwisa kwawakatsamwisa nako, uye ukaita kuti Israeri atadze.
  9475. 1Ki 21:23 Zvino maererano naJezebheri Jehovha wakataurawo achiti: Imbwa dzichadya Jezebheri parusvingo rweJezireeri.
  9476. 1Ki 21:24 Anofira muguta kwaAhabhi, imbwa dzichadya; neanofira kusango, shiri dzekumatenga dzichadya.
  9477. 1Ki 21:25 Asi hakuna kuva newakaita saAhabhi, wakazvitengesa kuita chakaipa pameso aJehovha, Jezebheri mukadzi wake wakamukurudzira.
  9478. 1Ki 21:26 Ndokuita zvinyangadzo kwazvo pakutevera zvifananidzo maererano nezvose izvo vaAmori zvavakaita, ivo Jehovha vaakadzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.
  9479. 1Ki 21:27 Zvino zvakaitika Ahabhi paakanzwa mashoko iwawo, kuti wakabvarura nguvo dzake ndokuisa masaga pamusoro pemuviri wake, ndokutsanya, ndokurara mumasaga, ndokufamba zvinyoro-nyoro.
  9480. 1Ki 21:28 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti:
  9481. 1Ki 21:29 Waona here kuti Ahabhi wazvininipisa pamberi pangu? Nekuda kwekuti wazvininipisa pamberi pangu, handingauisi chakaipa pamazuva ake; pamazuva emwanakomana wake ndichauisa chakaipa ichi paimba yake.
  9482. 1Ki 22:1 Zvino vakagara makore matatu pasina hondo pakati peSiriya naIsraeri.
  9483. 1Ki 22:2 Zvino zvakaitika mugore rechitatu kuti Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsraeri.
  9484. 1Ki 22:3 Zvino mambo waIsraeri wakati kuvaranda vake: Munoziva here kuti Ramoti-Giriyadhi nderedu? Asi takanyarara tisingaritori kubva muruoko rwamambo weSiriya.
  9485. 1Ki 22:4 Zvino wakati kuna Jehoshafati: Uchaenda neni kunorwa neRamoti-Giriyadhi here? Jehoshafati ndokuti kuna mambo waIsraeri: Sewe ndizvo zvandakaita, sevanhu vangu ndizvo zvakaita vanhu vako, semabhiza angu ndizvo zvakaita mabhiza ako.
  9486. 1Ki 22:5 Zvino Jehoshafati wakati kuna mambo waIsraeri: Bvunza hako nhasi shoko raJehovha.
  9487. 1Ki 22:6 Zvino mambo waIsraeri wakaunganidza vaporofita vanenge varume mazana mana, ndokuti kwavari: Ndiende kunorwisa Ramoti-Giriyadhi pahondo here, kana ndirege? Ivo ndokuti: Kwirai, nokuti Ishe acharipa muruoko rwamambo.
  9488. 1Ki 22:7 Jehoshafati ndokuti: Hakuchina here pano muporofita waJehovha watingabvunza kwaari?
  9489. 1Ki 22:8 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Achiripo murume umwe, Mikaya mwanakomana waImira, kubvunza naye kuna Jehovha; asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa. Jehoshafati ndokuti: Mambo ngaarege kureva saizvozvo.
  9490. 1Ki 22:9 Zvino mambo waIsraeri wakadana mutenwa, ndokuti: Kurumidzisa Mikaya mwanakomana waImira.
  9491. 1Ki 22:10 Zvino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakagara umwe neumwe pachigaro chake cheushe, vapfeka nguvo refu dzavo, vari paburiro pamukova wesuwo reSamariya; vaporofita vose ndokuporofita pamberi pavo.
  9492. 1Ki 22:11 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana wakazviitira nyanga dzematare, ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Neidzi muchasunda VaSiriya kusvika mavapedza.
  9493. 1Ki 22:12 Zvino vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vachiti: Kwirai kuRamoti-Giriyadhi, uye mukunde, nokuti Jehovha acharipa muruoko rwamambo.
  9494. 1Ki 22:13 Zvino nhume yaiva yaenda kunodana Mikaya yakataura kwaari ichiti: Tarirai ikozvino, mashoko evaporofita nemuromo umwe akanaka kuna mambo; shoko renyu ngarifanane haro neshoko reumwe wavo, uye mutaure zvakanaka.
  9495. 1Ki 22:14 Zvino Mikaya wakati: NaJehovha mupenyu, izvo Jehovha zvaanotaura kwandiri, izvo ndichataura.
  9496. 1Ki 22:15 Zvino wakasvika kuna mambo; mambo ndokuti kwaari: Mikaya, tiende kuRamoti-Giriyadhi kuhondo here, kana tirege? Iye ndokuti kwaari: Kwirai munokunda, nokuti Jehovha acharipa muruoko rwamambo.
  9497. 1Ki 22:16 Mambo ndokuti kwaari: Ndichakupikisa kusvika kangani kuti usandiudza chinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?
  9498. 1Ki 22:17 Iye ndokuti: Ndaona Israeri wose akapararira pamusoro pemakomo semakwai asina mufudzi; Jehovha ndokuti: Ava havana tenzi; ngavadzokere umwe neumwe kumba kwake nerugare.
  9499. 1Ki 22:18 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Handina kukuudza here kuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa?
  9500. 1Ki 22:19 Mikaya ndokuti: Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndaona Jehovha agere pachigaro chake cheushe, nehondo dzose dzekumatenga dzimire naye kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.
  9501. 1Ki 22:20 Jehovha ndokuti: Ndiani achakwezva Ahabhi kuti akwire anowira paRamoti-Giriyadhi? Uyu ndokureva seizvi uye uyo ndokureva seizvi.
  9502. 1Ki 22:21 Zvino kwakabuda mweya, ndokumira pamberi paJehovha, ndokuti: Ini ndichamukwezva.
  9503. 1Ki 22:22 Jehovha ndokuti kwauri: Nei? Iwo ndokuti: Ndichabuda ndive mweya wenhema mumuromo wevaporofita vake vose. Iye ndokuti: Uchakwezva uye uchakundawo; buda uite saizvozvo.
  9504. 1Ki 22:23 Zvino ikozvino, tarirai, Jehovha waisa mweya wenhema mumuromo wevaporofita venyu ava vose, uye Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.
  9505. 1Ki 22:24 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana wakaswedera, ndokurova Mikaya padama, ndokuti: Mweya waJehovha wapfuura nepi uchibva kwandiri kunotaura newe?
  9506. 1Ki 22:25 Mikaya ndokuti: Tarira, uchaona nezuva iro, pauchapinda mukamuri yemukati kunovanda.
  9507. 1Ki 22:26 Zvino mambo waIsraeri wakati: Tora Mikaya, ugomudzosera kuna Amoni mubati weguta, nekuna Joashi mwanakomana wamambo.
  9508. 1Ki 22:27 Zvino muti: Ndizvo zvinoreva mambo: Isai uyu mutirongo, mumudyise chingwa chekutamburira nemvura yekutamburira kusvika ndadzoka nerugare.
  9509. 1Ki 22:28 Mikaya ndokuti: Kana mukatongodzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni. Ndokuti: Inzwai, vanhu, imwi mose.
  9510. 1Ki 22:29 Naizvozvo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakakwira kuRamoti-Giriyadhi.
  9511. 1Ki 22:30 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Ndichazvivanza chimiro ndipinde muhondo; asi iwe pfeka nguvo refu dzako. Mambo waIsraeri ndokuzvivanza chimiro ndokupinda muhondo.
  9512. 1Ki 22:31 Zvino mambo weSiriya wakaraira vatariri vengoro dzake vari makumi matatu nevaviri, achiti: Musarwa nemudiki kana nemukuru, asi namambo waIsraeri chete.
  9513. 1Ki 22:32 Zvino zvakaitika, vatariri vengoro pavakaona Jehoshafati, kuti ivo vakati: Zvirokwazvo ndimambo waIsraeri. Zvino vakamutendeukira kurwa; Jehoshafati ndokuridza mhere.
  9514. 1Ki 22:33 Zvino zvakaitika vatariri vengoro pavakaona kuti waiva asiri mambo waIsraeri, kuti vakadzoka pakumutevera.
  9515. 1Ki 22:34 Zvino umwe murume wakahwembura uta asingaongorori ndokurova mambo waIsraeri pakati pepakabatanidzwa nepenguvo yeutare; iye ndokuti kumufambisi wengoro yake: Dzora ruoko rwako undibudise pakati pemusasa, nokuti ndakuvadzwa.
  9516. 1Ki 22:35 Zvino hondo yakawedzera nezuva iro; mambo ndokutsigirwa mungoro yake akatarisana nevaSiriya; ndokufa madekwani; ropa revanga ndokubuda kuenda muzasi mengoro.
  9517. 1Ki 22:36 Zvino pakuvira kwezuva kwakagura kudanidzira pamusasa kuchiti: Umwe neumwe kuguta rake, uye umwe neumwe kunyika yake.
  9518. 1Ki 22:37 Zvino mambo wakafa, ndokuiswa kuSamariya. Zvino vakaviga mambo paSamariya.
  9519. 1Ki 22:38 Zvino vakasuka ngoro padziva reSamariya, imbwa ndokunanzva ropa rake, paishamba zvifeve, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura.
  9520. 1Ki 22:39 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, nemaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9521. 1Ki 22:40 Naizvozvo Ahabhi wakarara nemadzibaba ake; Ahaziya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9522. 1Ki 22:41 Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa wakava mambo pamusoro paJudha pagore rechina raAhabhi mambo waIsraeri.
  9523. 1Ki 22:42 Zvino Jehoshafati waiva ava wemakore makumi matatu nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore makumi maviri nemashanu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Azubha mukunda waShirihi.
  9524. 1Ki 22:43 Zvino wakafamba panzira yose yaAsa baba vake; haana kutsauka pairi, achiita zvakarurama pameso aJehovha; zvakadaro nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; vanhu vaingopa zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.
  9525. 1Ki 22:44 Jehoshafati ndokuyanana namambo waIsraeri.
  9526. 1Ki 22:45 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoshafati, nesimba raakaratidza, uye kuti wakarwa sei, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9527. 1Ki 22:46 Zvino vakasara vengochani vakasara pamazuva aAsa baba vake wakavabvisa kubva panyika.
  9528. 1Ki 22:47 Zvino kwaiva kusina mambo paEdhomu; mubatiri waiva mambo.
  9529. 1Ki 22:48 Jehoshafati akaita zvikepe zveTarishishi kuenda kuOfiri kugoridhe; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEziyoni-Gebheri.
  9530. 1Ki 22:49 Panguva iyoyo Ahaziya mwanakomana waAhabhi wakati kuna Jehoshafati: Varanda vangu ngavaende nevaranda vako muzvikepe. Asi Jehoshafati haana kuda.
  9531. 1Ki 22:50 Jehoshafati ndokurara nemadzibaba ake; uye wakavigwa kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi baba vake; Jehorami mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9532. 1Ki 22:51 Ahaziya mwanakomana waAhabhi ndokuva mambo pamusoro paIsraeri paSamariya pagore regumi nemanomwe raJehoshafati mambo waJudha, ndokutonga pamusoro paIsraeri makore maviri.
  9533. 1Ki 22:52 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokufamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.
  9534. 1Ki 22:53 Nokuti wakashumira Bhaari, ndokumunamata, ndokutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri, zvichienderana nezvose baba vake zvavakaita
  9535. 2Ki 1:1 Zvino Moabhu wakamukira Israeri shure kwekufa kwaAhabhi.
  9536. 2Ki 1:2 Zvino Ahaziya wakawa nepakarukwa pahwindo rekamuri yake yekumusoro, yaiva paSamariya, ndokurwara. Zvino wakatuma nhume ndokuti kwadziri: Endai mubvunze Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.
  9537. 2Ki 1:3 Asi mutumwa waJehovha wakati kuna Eria muTishibhi: Simuka ukwire kunosangana nenhume dzamambo weSamariya, ugoti kwadziri: Imhaka yekuti hakuna Mwari here kwaIsraeri kuti muende munobvunza Bhaari-Zebhubhi mwari weEkironi?
  9538. 2Ki 1:4 Naizvozvo zvino, ndizvo zvinoreva Jehovha: Mubhedha wawakakwira pauri haungaburuki pauri, nokuti uchafa zvekufa. Eria ndokuenda.
  9539. 2Ki 1:5 Zvino nhume dzakadzokera kwaari, iye ndokuti kwadziri: Madzokera chii?
  9540. 2Ki 1:6 Idzo ndokuti kwaari: Kwakwira umwe murume kusangana nesu ndokuti kwatiri: Endai mudzokere kuna mambo wakakutumai, mugoti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha. Imhaka yekuti hakuna Mwari kwaIsraeri here, kuti utume kunobvunza Bhaari-Zebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo mubhedha wawakakwira pauri haungaburuki pauri, nokuti uchafa zvekufa.
  9541. 2Ki 1:7 Iye ndokuti kwadziri: Murume wakaita sei wakakwira kusangana nemwi ndokukuudzai mashoko awa?
  9542. 2Ki 1:8 Zvino dzakati kwaari: Wanga ari murume ane mvere akasunga nguvo yedehwe pachiuno chake. Iye ndokuti: NdiEria muTishibhi.
  9543. 2Ki 1:9 Zvino wakatuma kwaari mukuru wevane makumi mashanu pamwe nevane makumi mashanu vake. Zvino wakakwira kwaari, zvino tarira, agere panhongonya yegomo. Iye ndokuti kwaari: Munhu waMwari, mambo anoti: Burukai.
  9544. 2Ki 1:10 Zvino Eria wakapindura ndokuti kumukuru wevane makumi mashanu: Kana zvirokwazvo ndiri munhu waMwari, ngakuburuke moto kubva kumatenga, ugokupedza iwe nevane makumi mashanu vako. Zvino moto wakaburuka kubva kumatenga ndokumupedza pamwe nevane makumi mashanu vake.
  9545. 2Ki 1:11 Zvino wakatumazve kwaari umwe mukuru wevane makumi mashanu nevane makumi mashanu vake. Iye ndokupindura ndokuti kwaari: Munhu waMwari, ndizvo zvinoreva mambo: Burukai nekukurumidza.
  9546. 2Ki 1:12 Eria ndokupindura ndokuti kwavari: Kana ndiri munhu waMwari, ngakuburuke moto kubva kumatenga, ukupedze iwe nevane makumi mashanu vako. Zvino moto waMwari wakaburuka kubva kumatenga, ndokumupedza iye nevane makumi mashanu vake.
  9547. 2Ki 1:13 Zvino wakatumazve mukuru wevane makumi mashanu vetatu pamwe nevane makumi mashanu vake. Zvino mukuru wevane makumi mashanu wechitatu wakakwira ndokufugama nemabvi ake pamberi paEria, ndokumukumbira, ndokuti kwaari: Munhu waMwari, upenyu hwangu neupenyu hwevaranda venyu ava vane makumi mashanu ngahuve hahwo hwakakosha pameso enyu.
  9548. 2Ki 1:14 Tarirai, waburuka moto kubva kumatenga, ndokupedza vakuru vaviri vekutanga vevane makumi mashanu nevane makumi mashanu vake; zvino ikozvino, mweya wangu ngauve wakakosha pameso enyu.
  9549. 2Ki 1:15 Zvino mutumwa waJehovha wakati kuna Eria: Buruka pamwe naye, usamutya. Zvino wakasimuka ndokuburuka pamwe naye kuna mambo.
  9550. 2Ki 1:16 Zvino wakati kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nemhaka yekuti watuma nhume kunobvunza Bhaari-Zebhubhi mwari weEkironi, imhaka yekuti hakuna Mwari here kwaIsraeri kuti ubvunze shoko rake? Naizvozvo mubhedha wawakakwira pauri haungaburuki pauri, nokuti uchafa zvekufa.
  9551. 2Ki 1:17 Zvino wakafa zvichienderana neshoko raJehovha Eria raakataura. Jehoramu ndokuva mambo pachinzvimbo chake, negore rechipiri raJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye waiva asina mwanakomana.
  9552. 2Ki 1:18 Zvino dzimwe nyaya dzaAhaziya dzaakaita, hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9553. 2Ki 2:1 Zvino zvakaitika, Jehovha paaizokwidza Eria kumatenga nechinyamupupuri, Eria ndokuenda naErisha kubva kuGirigari.
  9554. 2Ki 2:2 Eria ndokuti kuna Erisha: Gara hako pano, nokuti Jehovha wandituma kuBheteri. Erisha ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino vakaburukira kuBheteri.
  9555. 2Ki 2:3 Zvino vanakomana vevaporofita vaiva paBheteri vakabuda kuuya kuna Erisha ndokuti kwaari: Unoziva here kuti Jehovha achabvisa nhasi tenzi wako pamusoro wako? Iye ndokuti: Hongu, ini ndinoziva; nyararai.
  9556. 2Ki 2:4 Eria ndokuti kwaari: Erisha, gara hako pano, nokuti Jehovha wandituma kuJeriko. Iye ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino vakasvika kuJeriko.
  9557. 2Ki 2:5 Zvino vanakomana vevaporofita vaiva paJeriko vakaswedera kuna Erisha ndokuti kwaari: Unoziva here kuti Jehovha achabvisa nhasi tenzi wako pamusoro wako? Iye ndokuti: Hongu, ini ndinoziva; nyararai.
  9558. 2Ki 2:6 Eria ndokuti kwaari: Gara hako pano, nokuti Jehovha wandituma kuJoridhani. Iye ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nemweya wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino vakaenda vari vaviri.
  9559. 2Ki 2:7 Zvino varume makumi mashanu vevanakomana vevaporofita vakaenda ndokumira kure pakatarisana navo; ivo vari vaviri ndokumira paJoridhani.
  9560. 2Ki 2:8 Eria ndokutora nguvo yake, ndokuipeta, ndokurova mvura; iyo ndokudambuka kuno neuko; ivo vaviri ndokuyambuka pavhu rakaoma.
  9561. 2Ki 2:9 Zvino zvakaitika pavaiva vayambuka kuti Eria wakati kuna Erisha: Kumbira chandingakuitira ndisati ndabviswa kwauri. Erisha ndokuti: Zvikamu zvakapetwa kaviri zvemweya wenyu ngazvive hazvo pamusoro pangu.
  9562. 2Ki 2:10 Zvino iye wakati: Wakumbira chinhu chakaoma; kana ukandiona ndichibviswa kwauri, zvichava saizvozvo kwauri; asi kana zvisina kudaro, hazvingaitiki.
  9563. 2Ki 2:11 Zvino zvakaitika vachiri kufamba vachitaura, kuti tarira, kwakava nengoro yemoto nemabhiza emoto, ndokuvaparadzanisa vari vaviri; Eria ndokukwira kumatenga nechinyamupupuri.
  9564. 2Ki 2:12 Erisha ndokuzviona, ndokudanidzira achiti: Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsraeri nevatasvi vayo vemabhiza. Zvino haana kuzomuonazve. Zvino wakabata nguvo dzake, ndokudzibvarura kuita mapandi maviri.
  9565. 2Ki 2:13 Zvino wakanonga jazi raEria raiva rawa kubva kwaari, ndokutendeuka ndokumira pamahombekombe aJoridhani.
  9566. 2Ki 2:14 Ndokutora jazi raEria raiva rawa kubva kwaari, ndokurova mvura, ndokuti: Aripi Jehovha Mwari waEria? Iyewo wakati arova mvura, iyo ndokuparadzana kuno neuko, Erisha ndokuyambuka.
  9567. 2Ki 2:15 Zvino vanakomana vevaporofita vaiva paJeriko pakatarisana naye vachiona ndokuti: Mweya waEria ugere pamusoro paErisha. Zvino vakauya kumuchingamidza, ndokukotamira pasi pamberi pake.
  9568. 2Ki 2:16 Zvino vakati kwaari: Tarirai ikozvino, kune vanakomana vakasimba makumi mashanu pamwe nevaranda venyu; regai henyu vaende vanotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza ndokumupotsera kune rimwe remakomo, kana kune umwe wemipata. Iye ndokuti: Musatuma.
  9569. 2Ki 2:17 Asi vakati vamugombedzera kusvika anyara; iye ndokuti: Tumai. Zvino vakatuma varume makumi mashanu, ndokutsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.
  9570. 2Ki 2:18 Zvino vakadzokera kwaari agere paJeriko; iye ndokuti kwavari: Handina kuti kwamuri here: Musaenda?
  9571. 2Ki 2:19 Zvino varume veguta vakati kuna Erisha: Tarirai henyu, nzvimbo yeguta yakanaka sezvinoona ishe wangu, asi mvura yakaipa, nevhu harina kukora.
  9572. 2Ki 2:20 Iye ndokuti: Ndivigire ndiro itsva, mugoisamo munyu. Vagounza kwaari.
  9573. 2Ki 2:21 Zvino wakabuda kuenda kuchitubu chemvura, ndokukandamo munyu, ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu kana kusabereka.
  9574. 2Ki 2:22 Zvino mvura yakarapiwa kusvika nhasi zvichienderana neshoko raErisha raakataura.
  9575. 2Ki 2:23 Zvino wakakwira kubva ipapo kuenda kuBheteri; paaikwira nenzira, kwakabuda vana vadiki kubva muguta, ndokumuseka, ndokuti kwaari: Kwira nyamanza, kwira nyamanza!
  9576. 2Ki 2:24 Zvino wakatendeuka ndokuvatarisa, ndokuvatuka nezita raJehovha. Zvino kwakabuda maperekadzi maviri mudondo ndokubvambura vakomana makumi mana nevaviri kwavari.
  9577. 2Ki 2:25 Zvino wakabvapo kuenda kugomo reKarimeri, uye kubva ipapo wakadzokera kuSamariya.
  9578. 2Ki 3:1 Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakava mambo pamusoro paIsraeri paSamariya negore regumi nemasere raJehoshafati mambo waJudha, ndokutonga makore gumi nemaviri.
  9579. 2Ki 3:2 Zvino wakaita chakaipa pameso aJehovha, asi kwete sezvakaita baba vake uye sezvakaita mai vake; nokuti wakabvisa shongwe yaBhaari inova chifananidzo baba vake chavakaita.
  9580. 2Ki 3:3 Kunyange zvakadaro wakanamatira pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati wakatadzisa Israeri; haana kutsauka pazviri.
  9581. 2Ki 3:4 Zvino Mesha mambo waMoabhu waiva mupfuwi wemakwai, ndokupa kuna mambo waIsraeri makwayana zvuru zana nemakondohwe zvuru zana nemakushe emakwai.
  9582. 2Ki 3:5 Asi zvakaitika pakufa kwaAhabhi, kuti mambo waMoabhu wakamukira mambo waIsraeri.
  9583. 2Ki 3:6 Mambo Jehoramu ndokubuda paSamariya nenguva iyo, ndokuverenga Israeri wose.
  9584. 2Ki 3:7 Zvino wakaenda ndokutuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha achiti: Mambo waMoabhu wandipandukira; uchaenda neni here tiende kwaMoabhu kuhondo? Iye ndokuti: Ndichakwira. Sewe, ndizvo zvandakaita, sevanhu vangu, ndizvo zvakaita vanhu vako, semabhiza angu, ndizvo zvakaita mabhiza ako.
  9585. 2Ki 3:8 Iye ndokuti: Tichakwira nenzira ipi? Iye ndokuti: Nenzira yerenje reEdhomu.
  9586. 2Ki 3:9 Naizvozvo mambo waIsraeri wakaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu. Zvino vatenderera rwendo rwemazuva manomwe, kwaiva kusina mvura yehondo neyezvipfuwo zvaiva patsoka dzavo.
  9587. 2Ki 3:10 Zvino mambo waIsraeri wakati: Haiwa! nokuti Jehovha wakadana madzimambo awa matatu kuapa muruoko rwaMoabhu.
  9588. 2Ki 3:11 Asi Jehoshafati wakati: Hapana muporofita waJehovha pano here watingabvunza naye Jehovha? Umwe wevaranda vamambo waIsraeri ndokupindura ndokuti: Aripo pano Erisha mwanakomana waShafati, iye wakadira mvura pamaoko aEria.
  9589. 2Ki 3:12 Jehoshafati ndokuti: Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino vakaburukira kwaari, mambo waIsraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu.
  9590. 2Ki 3:13 Zvino Erisha wakati kuna mambo waIsraeri: Ndinei nemwi? Endai kuvaporofita vababa venyu nekuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsraeri ndokuti kwaari: Kwete, nokuti Jehovha wakadana madzimambo awa matatu kuvapa muruoko rwaMoabhu.
  9591. 2Ki 3:14 Erisha ndokuti: NaJehovha wehondo mupenyu, wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaigamuchira chiso chaJehoshafati mambo waJudha, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai.
  9592. 2Ki 3:15 Asi zvino ndivigirei muridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rwukava pamusoro pake.
  9593. 2Ki 3:16 Zvino wakati: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Itai mupata uyu uve makoronga-makoronga.
  9594. 2Ki 3:17 Nokuti ndizvo zvinoreva Jehovha: Hamungaoni mhepo, uye hamungaoni mvura; asi mupata uyu uchazadzwa nemvura; kuti munwe imwi nemombe dzenyu nezvipfuwo zvenyu.
  9595. 2Ki 3:18 Asi izvi zvakareruka pameso aJehovha; achapawo Moabhu muruoko rwenyu.
  9596. 2Ki 3:19 Zvino mucharova guta rimwe nerimwe rakashoshewa neguta rimwe nerimwe rakasarudzwa, muteme muti umwe neumwe wakanaka, mudzivire zvitubu zvose zvemvura, nekushatisa nemabwe munda umwe neumwe wakanaka.
  9597. 2Ki 3:20 Zvino zvakaitika mangwanani, paiva papiwa chipo chechidyiwa, kuti tarira, kwakauya mvura kubva munzira yeEdhomu, nyika ndokuzadzwa nemvura.
  9598. 2Ki 3:21 Zvino vaMoabhu vose vakati vanzwa kuti madzimambo akwira kuvarwisa, vakaunganidza kubva kune wose anosungira zvombo zvichikwira, ndokumira pamuganhu.
  9599. 2Ki 3:22 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, zuva ndokuonekwa pamusoro pemvura, vaMoabhu ndokuona mvura pakatarisana navo yakatsvuka seropa.
  9600. 2Ki 3:23 Zvino vakati: Iropa iri; madzimambo aparadzwa zvekuparadzwa, uye vaurayana. Naizvozvo kunopamba ikozvino, Moabhu.
  9601. 2Ki 3:24 Pavakasvika pamusasa waIsraeri, vaIsraeri vakasimuka ndokurova vaMoabhu, kusvika vatiza kubva pamberi pavo; asi vakapinda munyika vachirova vaMoabhu.
  9602. 2Ki 3:25 Zvino vakaputsa maguta, nepamunda wakanaka umwe neumwe vakakanda umwe neumwe ibwe rake, ndokuizadza; uye vakadzivira zvitubu zvose zvemvura, ndokutema miti yose yakanaka, kusvika kwasara mabwe ayo ega paKiri-Hareseti; asi vapotseri nezvifuramabwe vakaripoteredza, ndokurirova.
  9603. 2Ki 3:26 Mambo waMoabhu wakati aona kuti hondo yakamusimbira zvikuru, wakatora pamwe naye varume mazana manomwe vaivhomora munondo, kuti apazire kuna mambo waEdhomu; asi vakakonewa.
  9604. 2Ki 3:27 Zvino wakatora mwanakomana wake wedangwe waizova mambo pachinzvimbo chake ndokumupa kuva chipo chinopiswa pamusoro perusvingo. Ndokuva nehasha huru dzakanangana naIsraeri, vakabva kwaari, ndokudzokera kunyika.
  9605. 2Ki 4:1 Zvino kwakachema umwe mukadzi wevakadzi vevanakomana vevaporofita kuna Erisha achiti: Muranda wenyu murume wangu wafa. Zvino imwi munoziva kuti muranda wenyu waitya Jehovha; zvino kwasvika mukweretesi kuzvitorera vana vangu vaviri vave nhapwa [dzake].
  9606. 2Ki 4:2 Erisha ndokuti kwaari: Ndingakuitirei? Ndiudze. Unei mumba? Iye ndokuti: Murandakadzi wenyu haana chinhu mumba, kunze kwechinu chemafuta.
  9607. 2Ki 4:3 Iye ndokuti: Enda uzvikumbirire midziyo kubva kunze kuvavakidzani vako vose, midziyo isina chinhu; usaita kuti ive mishoma.
  9608. 2Ki 4:4 Kana wapinda pfiga mukova shure kwako uye shure kwevanakomana vako, ugodira kumidziyo iyo yose, uye uise parutivi iyo yakazara.
  9609. 2Ki 4:5 Naizvozvo wakabva kwaari, ndokupfiga mukova shure kwake uye shure kwevanakomana vake; ivo vakamuvigira midziyo, iye ndokudira.
  9610. 2Ki 4:6 Zvino zvakaitika midziyo payakazara, kuti wakati kuvanakomana vake: Ndivigireizve mudziyo. Iye ndokuti kwaari: Hakuchinazve mudziyo. Mafuta ndokuguma.
  9611. 2Ki 4:7 Zvino wakauya ndokuzivisa munhu waMwari. Iye ndokuti: Enda unotengesa mafuta, ugoripira chikwereti chako; zvino iwe nevanakomana vako murarame paakasara.
  9612. 2Ki 4:8 Zvino kwakati nerimwe zuva Erisha wakapfuurira kuShunemi. Zvino ipapo paiva nemukadzi wakakurumbira, iye wakamumanikidza kudya chingwa. Zvino zvakaitika pega-pega paaipfuura, kuti wakatsaukirako kuti adye chingwa.
  9613. 2Ki 4:9 Zvino wakati kumurume wake: Tarirai ikozvino, ndinoziva kuti uyu munhu mutsvene waMwari, anogara achipfuura kwatiri.
  9614. 2Ki 4:10 Ngatiitei hedu kamuri diki rekumusoro parusvingo, uye ngatimuisiremo mubhedha netafura nechituro nechigadziko chemwenje. Zvino zvichadai, paanouya kwatiri, kuti achatsaukiramo.
  9615. 2Ki 4:11 Zvino zvakaitika nerimwe zuva, kuti wakasvikapo, ndokutsaukira kukamuri yepamusoro, ndokuraramo.
  9616. 2Ki 4:12 Zvino wakati kuna Gehazi muranda wake: Dana mukadzi muShunemi uyu. Zvino wakati amudana, iye ndokumira pamberi pake.
  9617. 2Ki 4:13 Zvino wakati kwaari: Iti hako kwaari: Tarirai, makatichengeta nekuchengeta uku kwese; muchaitirwei? Pane zvamungataurirwa kuna mambo kana kumukuru wehondo here? Iye ndokuti: Ndinogara pakati pevanhu vangu.
  9618. 2Ki 4:14 Zvino wakati: Zvino chii chaachaitirwa? Gehazi ndokuti: Zvirokwazvo haana mwanakomana, nemurume wake wakwegura.
  9619. 2Ki 4:15 Iye ndokuti: Mudane. Zvino amudana, wakamira pamukova.
  9620. 2Ki 4:16 Zvino wakati: Panguva ino yakatarwa, zvichienderana nenguva yeupenyu, uchava wakagumbata mwanakomana. Asi wakati: Kwete ishe wangu, munhu waMwari, musarevera muranda wenyu nhema.
  9621. 2Ki 4:17 Zvino mukadzi wakabata mimba, ndokupona mwanakomana nenguva iyo yakatarwa zvichienderana nenguva yeupenyu Erisha yaakareva kwaari.
  9622. 2Ki 4:18 Zvino mwana wakati akura, kwakati nerimwe zuva, wakabuda kuenda kuna baba vake kuvakohwi.
  9623. 2Ki 4:19 Zvino wakati kuna baba vake: Musoro wangu! Musoro wangu! Ivo ndokuti kumuranda: Mutakure umuise kuna mai vake.
  9624. 2Ki 4:20 Zvino wakamutakura, ndokuuya naye kuna mai vake. Iye ndokugara pamabvi avo kusvika kwava masikati makuru, ndokufa.
  9625. 2Ki 4:21 Zvino vakakwira ndokumuradzika pamubhedha wemunhu waMwari, ndokumupfigira ndokubuda.
  9626. 2Ki 4:22 Zvino wakadana murume wake ndokuti: Nditumire henyu umwe wevaranda neimwe yembongoro, kuti ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzoka.
  9627. 2Ki 4:23 Iye ndokuti: Unoenderei kwaari nhasi? Hakusi kugara kwemwedzi uye haisi sabata. Iye ndokuti: Zvakanaka.
  9628. 2Ki 4:24 Zvino wakasungira chigaro pambongoro, ndokuti kumuranda wake: Chaira uende, usandinonosa pakutasva, kunze kwekuti ndakuudza.
  9629. 2Ki 4:25 Zvino wakaenda, ndokusvika kumunhu waMwari kugomo reKarmeri. Zvino zvakaitika munhu waMwari paakamuona ari chinhambwe, kuti wakati kuna Gehazi muranda wake: Tarira mukadzi uya muShunemi.
  9630. 2Ki 4:26 Mhanya hako ikozvino umuchingamidze, uti kwaari: Kwakanaka here kwauri? Kwakanaka here kumurume wako? Kwakanaka here kumwana? Iye ndokuti: Kwakanaka!
  9631. 2Ki 4:27 Paakasvika kumunhu waMwari pagomo wakabata tsoka dzake. Asi Gehazi wakaswedera kumusundira kure; munhu waMwari ndokuti: Murege, nokuti mweya weupenyu wake une shungu maari. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.
  9632. 2Ki 4:28 Zvino wakati: Ndaiva ndakumbira mwanakomana here kuna ishe wangu? Handina here kuti: Musandinyengedzera?
  9633. 2Ki 4:29 Zvino Erisha wakati kuna Gehazi: Zvisunge chiuno, ugotora tsvimbo yangu muruoko rwako uende. Kana ukasangana nemunhu usamumhorosa, uye kana munhu akakumhorosa usamupindura. Zvino uise tsvimbo yangu pachiso chemwana.
  9634. 2Ki 4:30 Zvino mai vemwana vakati: NaJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino wakasimuka, ndokumutevera.
  9635. 2Ki 4:31 Zvino Gehazi wakapfuurira mberi kwavo, ndokuisa tsvimbo pachiso chemwana, asi hapana kuvapo inzwi, uye kwaiva kusina kunzwa. Naizvozvo wakadzoka kusangana naye, ndokumuudza achiti: Mwana haana kumuka.
  9636. 2Ki 4:32 Zvino Erisha wakapinda mumba, tarira, mwana waiva afa, akaradzikwa pamubhedha wake.
  9637. 2Ki 4:33 Zvino wakapinda ndokupfiga mukova shure kwavo vari vaviri, ndokunyengetera kuna Jehovha.
  9638. 2Ki 4:34 Zvino wakakwira ndokurara pamusoro pemwana, ndokuisa muromo wake pamuromo wake, uye meso ake pameso ake, nemaoko ake pamaoko ake; ndokutsivama pamusoro pake, nyama yemwana ndokudziya.
  9639. 2Ki 4:35 Zvino wakadzoka ndokufamba mumba kamwe pano uye kamwe apo, ndokukwira ndokutsivama pamusoro pake; mwana ndokuhotsira kusvika kanomwe, mwana ndokuzarura meso ake.
  9640. 2Ki 4:36 Zvino wakadana Gehazi, ndokuti: Dana mukadzi muShunemi uyu. Iye ndokumudana. Wakati apinda kwaari, iye ndokuti: Takura mwanakomana wako.
  9641. 2Ki 4:37 Zvino wakapinda, ndokuwira patsoka dzake, ndokukotamira pavhu, ndokusimudza mwana wake ndokubuda.
  9642. 2Ki 4:38 Zvino Erisha wakadzoka kuGirigari; uye paiva nenzara panyika; uye vana vevaporofita vaiva vagere pamberi pake; iye ndokuti kumuranda wake: Isa hari huru, ubikire vanakomana vevaporofita zvekudya zvakabikwa.
  9643. 2Ki 4:39 Zvino umwe wakabuda ndokuenda kusango kunounganidza miriwo, ndokuwana muzambiringa wemusango, ndokuunganidzapo magaka, nguvo yake ndokuzara nawo, ndokusvika ndokuachekerera muhari yezvekudya zvakabikwa, nokuti vaiva vasingaazivi.
  9644. 2Ki 4:40 Zvino vakadururira vanhu kuti vadye. Zvino zvakaitika kuti vachiri kudya zvekudya zvakabikwa ivo ndokudanidzira ndokuti: Rufu muhari, munhu waMwari! Zvino vaiva vasingagoni kudya.
  9645. 2Ki 4:41 Asi wakati: Zvino uyai neupfu. Iye ndokudira muhari, ndokuti: Dururirai vanhu kuti vadye. Kwaiva kusisina chakaipa muhari.
  9646. 2Ki 4:42 Zvino kwakasvika munhu kubva kuBhaari-Sharisha, ndokuvigira munhu waMwari zvekudya zvezvibereko zvitsva, zvingwa zvebhari makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhombodo yake. Ndokuti: Ipai vanhu kuti vadye.
  9647. 2Ki 4:43 Asi muranda wake wakati: Ndinoisa sei izvi pamberi pevanhu zana? Iye ndokuti: Ipai vanhu kuti vadye; nokuti ndizvo zvinoreva Jehovha: Vachadya vakasiya.
  9648. 2Ki 4:44 Naizvozvo wakaisa pamberi pavo, vakadya, ndokusiya zvichienderana neshoko raJehovha.
  9649. 2Ki 5:1 Zvino Naamani mukuru wehondo yamambo weSiriya waiva munhu mukuru pamberi patenzi wake, uye waikudzwa; nokuti naye Jehovha waiva apa Siriya kununurwa; uye waiva munhu wesimba neumhare, [asi] waiva wemaperembudzi.
  9650. 2Ki 5:2 Zvino VaSiriya vaiva vabuda nehondo dzakarongwa ndokutapa musikana mudiki panyika yekwaIsraeri, waimira pamberi pemukadzi waNaamani.
  9651. 2Ki 5:3 Zvino wakati kuna tenzikadzi wake: Dai ishe wangu aiva pamberi pemuporofita ari paSamariya; ipapo angadai akamuporesa kubva pamaperembudzi ake.
  9652. 2Ki 5:4 Zvino Naamani wakapinda ndokuudza ishe wake achiti: Musikana anobva kunyika yaIsraeri wakataura chekuti nechekuti.
  9653. 2Ki 5:5 Mambo weSiriya ndokuti: Enda, uende, uye ndichatuma tsamba kuna mambo waIsraeri. Zvino wakaenda ndokutora muruoko rwake matarenda gumi esirivha, nengoda zvuru zvitanhatu dzegoridhe, nenguvo dzekuchinja gumi.
  9654. 2Ki 5:6 Zvino wakauya netsamba kuna mambo waIsraeri ichiti: Ikozvino zvino, panosvika tsamba iyi kwamuri, tarira, ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese kubva pamaperembudzi ake.
  9655. 2Ki 5:7 Zvino zvakaitika mambo waIsraeri paakaverenga tsamba kuti wakabvarura nguvo dzake ndokuti: Ndiri Mwari here kuti ndiuraye kana kuti ndiraramise, uyu zvaanotuma kwandiri kuti ndiporese munhu kubva pamaperembudzi ake? Nokuti zvirokwazvo fungai henyu muone kuti anotsvaka mukana wekurwisana neni.
  9656. 2Ki 5:8 Zvino zvakaitika Erisha munhu waMwari anzwa kuti mambo waIsraeri wabvarura nguvo dzake, kuti wakatuma shoko kuna mambo achiti: Mabvarurirei nguvo dzenyu? Ngaauye ikozvino kwandiri; zvino achaziva kuti kune muporofita kwaIsraeri.
  9657. 2Ki 5:9 Naizvozvo Naamani wakauya nemabhiza ake uye nengoro yake ndokumira pamukova weimba yaErisha.
  9658. 2Ki 5:10 Erisha ndokutuma nhume kwaari, achiti: Enda unoshamba kanomwe muna Joridhani, uye nyama yako ichadzokera kwauri, uve wakachena.
  9659. 2Ki 5:11 Asi Naamani wakatsamwa ndokuenda ndokuti: Tarirai, ndanga ndichizviti: Zvirokwazvo achabuda, amire adane zita raJehovha Mwari wake, nekufambisa-fambisa ruoko rwake pamusoro penzvimbo, agoporesa wemaperembudzi.
  9660. 2Ki 5:12 Abhana neFaripari nzizi dzeDhamasiko hadzisi nani pamvura yose yaIsraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakachena here? Zvino wakatendeuka, ndokuenda nehasha.
  9661. 2Ki 5:13 Zvino varanda vake vakaswedera, ndokutaura kwaari ndokuti: Baba vangu, dai muporofita ataura nemwi chinhu chikuru, hamuzaiita here? Ndoda zvaati kwamuri: Shamba uve wakachena?
  9662. 2Ki 5:14 Zvino wakaburuka, ndokuzvinyika muna Joridhani kanomwe zvichienderana neshoko remunhu waMwari; nyama yake ndokudzoka ndokufanana nenyama yemwana mudiki, akava wakachena.
  9663. 2Ki 5:15 Zvino wakadzokera kumunhu waMwari, iye nechaunga chake chose, ndokusvika ndokumira pamberi pake ndokuti: Tarirai henyu, ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose, kunze kwekwaIsraeri; zvino ikozvino gamuchirai henyu chipo kubva kumuranda wenyu.
  9664. 2Ki 5:16 Asi iye wakati: NaJehovha mupenyu wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Zvino wakamugombedzera kuti agamuchire, asi wakaramba.
  9665. 2Ki 5:17 Zvino Naamani wakati: Kana zvisakadaro, ngakupiwe henyu muranda wenyu mutoro wemanyurusi maviri wevhu. Nokuti muranda wenyu haachazopi chipo chinopiswa nechibairo kuna vamwe vamwari, asi kuna Jehovha.
  9666. 2Ki 5:18 Pachinhu ichi Jehovha ngaaregerere muranda wake, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kunamatapo, ndokusendamira paruoko rwangu, uye ndikafugama mumba maRimoni; kana ndikafugama mumba maRimoni Jehovha ngaaregererewo muranda wake pachinhu ichi.
  9667. 2Ki 5:19 Zvino wakati kwaari: Enda nerugare. Zvino wakabva kwaari chinhambwe chidiki.
  9668. 2Ki 5:20 Asi Gehazi muranda waErisha munhu waMwari wakati: Tarirai, tenzi wangu warega Naamani muSiriya uyu pakusagamuchira paruoko rwake zvaakauya nazvo; naJehovha mupenyu, zvirokwazvo ndichamhanya ndimutevere, nditore chimwe kwaari.
  9669. 2Ki 5:21 Naizvozvo Gehazi wakadzingirirana naNaamani. Naamani paakamuona achimhanya kumutevera, wakaburuka pangoro kumuchingamidza, ndokuti: Kwakanaka here?
  9670. 2Ki 5:22 Iye ndokuti: Kwakanaka. Tenzi wangu wandituma achiti: Tarirai, ikozvinowo kwasvika kwandiri majaya maviri achibva kugomo raEfuremu evanakomana vevaporofita; ape hako tarenda resirivha nenguvo mbiri dzekuchinja.
  9671. 2Ki 5:23 Naamani ndokuti: Tenda, utore matarenda maviri. Zvino wakamugombedzera ndokusungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwe nenguvo mbiri dzekuchinja, ndokuisa pavaviri vevaranda vake, vakazvitakura pamberi pake.
  9672. 2Ki 5:24 Wakati asvika pachikomo, wakazvitora paruoko rwavo, ndokuisa mumba, ndokurega varume kuti vaende, ivo ndokuenda.
  9673. 2Ki 5:25 Zvino iye wakapinda, ndokumira pamberi patenzi wake. Erisha ndokuti kwaari: Unobva kupi Gehazi? Iye ndokuti: Muranda wenyu wanga asina kuenda uko kana uko.
  9674. 2Ki 5:26 Zvino wakati kwaari: Moyo wangu hauna kuenda newe here murume paadzoka kubva pangoro yake kukuchingamidza? Inguva yekugamuchira mari nekugamuchira nguvo neminda yemiorivhi neminda yemizambiringa nemakwai nenzombe nevaranda nevarandakadzi here?
  9675. 2Ki 5:27 Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira kwauri nekumbeu yako nekusingaperi. Zvino wakabuda pamberi pake ava wemaperembudzi, akachena semagada echando.
  9676. 2Ki 6:1 Zvino vanakomana vevaporofita vakati kuna Erisha: Tarirai ikozvino, nzvimbo patigere mberi kwako yakamanikana zvikuru kwatiri.
  9677. 2Ki 6:2 Regai henyu tiende kuJoridhani tigonotora kubvako umwe neumwe danda, uye ngatizviitirei nzvimboko yekugarako. Iye ndokuti: Endai.
  9678. 2Ki 6:3 Zvino umwe wakati: Tendai henyu mugoenda nevaranda venyu. Iye ndokuti: Ini ndichaenda.
  9679. 2Ki 6:4 Zvino wakaenda navo. Pavakasvika kuJoridhani, vakatema matanda.
  9680. 2Ki 6:5 Asi umwe wakati achitema danda, musoro wedemo ndokuwira mumvura. Zvino wakadanidzira ndokuti: Haiwa, tenzi wangu! Nokuti raiva rakweretwa.
  9681. 2Ki 6:6 Zvino munhu waMwari wakati: Rawira papi? Iye ndokumuratidza nzvimbo. Zvino wakatema rutanda ndokurukandapo ndokupapamadza demo.
  9682. 2Ki 6:7 Zvino wakati: Zvisimudzire. Iye ndokutandavadza ruoko rwake ndokuritora.
  9683. 2Ki 6:8 Zvino mambo weSiriya wairwisana naIsraeri; ndokurangana nevaranda vake achiti: Panzvimbo yekuti neyekuti uchava musasa wangu.
  9684. 2Ki 6:9 Zvino munhu waMwari wakatuma kuna mambo waIsraeri achiti: Chenjera usapfuurira kunzvimbo iyi, nokuti VaSiriya voburukirapo.
  9685. 2Ki 6:10 Zvino mambo waIsraeri wakatuma kunzvimbo iyo munhu waMwari yaaiva ataura kwaari nekumuyambira nezvayo, ndokuchengetedzekako, kwete kamwe uye kwete kaviri.
  9686. 2Ki 6:11 Zvino moyo wamambo weSiriya wakagumbuka nekuda kwechinhu ichi; iye ndokudana varanda vake ndokuti kwavari: Hamungandiudzi here kuti ndiani patiri ari wamambo waIsraeri?
  9687. 2Ki 6:12 Zvino umwe wevaranda vake wakati: Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita ari muIsraeri anoudza mambo waIsraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yekurara.
  9688. 2Ki 6:13 Iye ndokuti: Endai muone paari kuti nditume ndimutore. Zvino wakaudzwa zvikanzi: Tarirai, ari paDhotani.
  9689. 2Ki 6:14 Zvino wakatumako mabhiza nengoro nehondo huru; zvino vakasvika usiku, ndokukomba guta.
  9690. 2Ki 6:15 Muranda wemunhu waMwari paakamuka mangwanani-ngwanani, wakabuda, zvino tarira, hondo yakakomba guta pamwe nemabhiza nengoro. Muranda wake ndokuti kwaari: Haiwa, tenzi wangu! Tichaita sei?
  9691. 2Ki 6:16 Zvino iye wakati: Usatya, nokuti vanesu vakawanda kupfuura vaanavo.
  9692. 2Ki 6:17 Zvino Erisha wakanyengetera ndokuti: Jehovha, zarurai henyu meso ake kuti aone. Jehovha ndokuzarura meso ejaya iro, iro ndokuona, zvino tarira, gomo rizere nemabhiza nengoro dzemoto zvakakomba Erisha.
  9693. 2Ki 6:18 Pavakaburukira kwaari, Erisha wakanyengetera kuna Jehovha, ndokuti: Rovai henyu rudzi urwu neupofu. Zvino wakavarova neupofu zvichienderana neshoko raErisha.
  9694. 2Ki 6:19 Erisha ndokuti kwavari: Haisi iyo nzira, uye harisi iro guta; nditeverei, ndichakuisai kumunhu uyu wamunotsvaka. Zvino wakavaisa kuSamariya.
  9695. 2Ki 6:20 Zvino zvakaitika pakupinda kwavo muSamariya kuti Erisha wakati: Jehovha, zarurai meso evava kuti vaone. Jehovha ndokuzarura meso avo, zvino ndokuona, zvino tarira, vaiva pakati peSamariya.
  9696. 2Ki 6:21 Mambo waIsraeri wakati achivaona ndokuti kuna Erisha: Baba vangu, ndirove here, ndirove here?
  9697. 2Ki 6:22 Iye ndokuti: Usarova. Ungarova here avo vawatapa nemunondo wako kana neuta hwako? Isa chingwa nemvura pamberi pavo kuti vadye vanwe vagoenda kuna tenzi wavo.
  9698. 2Ki 6:23 Zvino iye wakavagadzirira mabiko makuru; vakati vadya nekunwa, wakavaendesa, ivo ndokuenda kuna tenzi wavo. Naizvozvo hondo dzakarongwa dzeSiriya hadzina kuzopamha kudzoka kunyika yaIsraeri.
  9699. 2Ki 6:24 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya wakaunganidza hondo yake yose ndokukwira ndokukomba Samariya.
  9700. 2Ki 6:25 Nzara huru ndokuva paSamariya; zvino tarira, vaikomba kusvika musoro wembongoro wava wemasirivha makumi masere, nechechina chechiyero chematoto enjiva pamasirivha mashanu.
  9701. 2Ki 6:26 Zvino zvakaitika mambo waIsraeri wakati achipfuura neparusvingo, kwakadanidzira mukadzi kwaari achiti: Batsirai, ishe wangu, mambo!
  9702. 2Ki 6:27 Iye ndokuti: Jehovha asingakubatsiri; ndingakubatsira nezvinobvepi? Zvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini here?
  9703. 2Ki 6:28 Zvino mambo wakati kwaari: Unei? Iye ndokuti: Mukadzi uyu wakati kwandiri: Uya nemwanakomana wako kuti timudye nhasi, uye mangwana tichadya mwanakomana wangu.
  9704. 2Ki 6:29 Zvino takabika mwanakomana wangu ndokumudya; zvino ndakati kwaari nezuva raitevera: Uya nemwanakomana wako kuti timudye. Asi iye wakavanza mwanakomana wake.
  9705. 2Ki 6:30 Zvino zvakaitika mambo paakanzwa mashoko emukadzi uyu kuti wakadambura nguvo dzake; zvino waipfuura neparusvingo; vanhu ndokuona, uye tarira, kwaiva nesaga pamuviri wake mukati.
  9706. 2Ki 6:31 Zvino wakati: Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri uye saizvozvo awedzere, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukagara paari nhasi.
  9707. 2Ki 6:32 Asi Erisha waiva agere muimba yake, uye vakuru vaiva vagere naye; ndokutuma munhu mberi kwake; nhume isati yasvika kwaari, iyewo wakati kuvakuru: Munoona here kuti mwana uyu wemhondi watuma kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, panosvika nhume mupfige mukova, muitsikirire pamukova; hausi mutsindo wetsoka dzatenzi wake here shure kwake?
  9708. 2Ki 6:33 Wakati achiri kutaura navo, zvino tarira, nhume yakaburukira kwaari; iye ndokuti: Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichakamirirei Jehovha?
  9709. 2Ki 7:1 Zvino Erisha wakati: Inzwai shoko raJehovha: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nenguva inenge ino mangwana, chiyero cheupfu hwakatsetseka chichava cheshekeri, nezviyero zviviri zvebhari zveshekeri, pasuwo reSamariya.
  9710. 2Ki 7:2 Zvino ishe mambo waaiva akasendama paruoko rwake wakapindura munhu waMwari ndokuti: Tarirai, dai Jehovha akaita mahwindo kumatenga, chinhu ichi chingaitika here? Iye ndokuti: Tarira, uchaona nemeso ako, asi haungadyi zvazvo.
  9711. 2Ki 7:3 Zvino kwaiva nevarume vana vemaperembudzi panopinda pamukova; ndokuti umwe kune umwe: Tinogarirei pano kusvika tafa?
  9712. 2Ki 7:4 Kana tikati: Tichapinda muguta, zvino nzara iri muguta, uye tichafiramo; uye kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo ikozvino hendei tinowira mumusasa wevaSiriya; kana vakatirega tichirarama, tararama; uye kana vakatiuraya, tichangofa.
  9713. 2Ki 7:5 Zvino vakasimuka mambakwedza kuenda kumusasa waSiriya. Vakati vasvika kumucheto kwemusasa waSiriya, zvino tarira, kwaiva kusina munhuko.
  9714. 2Ki 7:6 Nokuti Ishe waiva anzwisa hondo yevaSiriya ruzha rwengoro, ruzha rwemabhiza, ruzha rwehondo huru; ndokuti umwe kune umwe: Tarira, mambo waIsraeri wakatihaira madzimambo evaHiti nemadzimambo evaEgipita kuzotirwisa.
  9715. 2Ki 7:7 Naizvozvo vakasimuka ndokutiza mambakwedza, ndokusiya matende avo nemabhiza avo nembongoro dzavo, musasa sezvauri, ndokutiza neupenyu hwavo.
  9716. 2Ki 7:8 Vemaperembudzi ava pavakasvika pamucheto wemusasa, vakapinda mune rimwe tende, ndokudya ndokunwa, ndokutakura kubvapo sirivha negoridhe nenguvo, ndokuenda ndokuviga, ndokudzokazve, ndokupinda mune rimwe tende, ndokutakura kubvapo, ndokuenda, ndokuviga.
  9717. 2Ki 7:9 Zvino vakati umwe kune umwe: Hatisi kuita zvakanaka; zuva rino izuva reshoko rakanaka, asi isu takazvinyararira. Kana tikamirira kusvika pachiedza chemangwanani, murango uchatiwana. Zvino ikozvino, uyai ngatiende tiudze imba yamambo.
  9718. 2Ki 7:10 Zvino vakasvika ndokudanidzira kumutariri wesuwo reguta, ndokuvaudza vachiti: Takasvika kumusasa wevaSiriya, zvino tarirai, kwanga kusina munhuko kana inzwi remunhu, asi mabhiza akasungirwa, nembongoro dzakasungirwa, nematende sezvaari.
  9719. 2Ki 7:11 Zvino wakadana vachengeti vesuwo, ivo ndokuudza imba yamambo mukati.
  9720. 2Ki 7:12 Zvino mambo wakasimuka usiku ndokuti kuvaranda vake: Ndichakuudzai zvino VaSiriya zvavakatiitira. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vabuda pamusasa ndokuzvivanza musango vachiti: Kana vabuda muguta, tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.
  9721. 2Ki 7:13 Zvino umwe wevaranda vake wakapindura ndokuti: Regai vatore mashanu emabhiza asara, asara mukati meguta. Tarirai, vakaita sechaunga chose chaIsraeri chakasara mariri; tarirai vakaita sechaunga chose chaIsraeri chakapedzwa; ngatitume tione.
  9722. 2Ki 7:14 Zvino vakatora mabhiza maviri engoro; mambo ndokutuma shure kwehondo yevaAsiriya achiti: Endai, muone.
  9723. 2Ki 7:15 Zvino vakavatevera kusvika kuna Joridhani, zvino tarira, nzira yose yakazara nenguvo nemidziyo VaSiriya zvavaiva varasa pakukurumidza kwavo. Nhume ndokudzokera ndokuudza mambo.
  9724. 2Ki 7:16 Zvino vanhu vakabuda, ndokupamba musasa wevaSiriya. Naizvozvo chiyero cheupfu hwakatsetseka chakava cheshekeri, nezviyero zviviri zvebhari zveshekeri, zvichienderana neshoko raJehovha.
  9725. 2Ki 7:17 Zvino mambo wakaisa ishe waiva amire paruoko rwake pasuwo; vanhu ndokutsika pamusoro pake pasuwo, iye ndokufa, munhu waMwari sezvaaiva ataura, iye wakataura, pakuburukira kwamambo kwaari.
  9726. 2Ki 7:18 Zvino zvakaitika munhu waMwari sezvaaiva ataura kuna mambo achiti: Zviyero zviviri zvebhari neshekeri, nechiyero cheupfu hwakatsetseka neshekeri panguva inenge ino mangwana zvichava pasuwo reSamariya.
  9727. 2Ki 7:19 Zvino ishe wakapindura munhu waMwari ndokuti: Tarira, dai Jehovha akaita mahwindo kumatenga, zvichava sechinhu ichi here? Iye ndokuti: Tarira, uchazviona nemeso ako, asi haungazvidyi.
  9728. 2Ki 7:20 Zvino zvakava saizvozvo kwaari; nokuti vanhu vakamutsikira pasi pasuwo, ndokufa.
  9729. 2Ki 8:1 Zvino Erisha wakataura kumukadzi uyo mwanakomana wake waaiva araramisa achiti: Simuka uende, iwe neimba yako, unova mweni kwaunganova mweni. Nokuti Jehovha wadana nzara; uye ichasvika panyika makore manomwe.
  9730. 2Ki 8:2 Zvino mukadzi wakasimuka ndokuita zvichienderana neshoko remunhu waMwari. Zvino wakaenda iye nemhuri yake ndokunova mweni munyika yevaFirisitia makore manomwe.
  9731. 2Ki 8:3 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore manomwe, kuti mukadzi wakadzoka kubva kunyika yevaFirisitia. Zvino wakabuda kunochema kuna mambo pamusoro peimba yake uye pamusoro pemunda wake.
  9732. 2Ki 8:4 Zvino mambo wakataura naGehazi muranda wemunhu waMwari achiti: Ndiudze hako zvinhu zvose zvikuru Erisha zvaakaita.
  9733. 2Ki 8:5 Zvino zvakaitika paairondedzera kuna mambo kuti wakamutsa sei wakafa pakufa, kuti tarira, mukadzi wemwanakomana waaiva amutsa pakufa wakachema kuna mambo pamusoro peimba yake uye pamusoro pemunda wake. Gehazi ndokuti: Ishe wangu mambo, uyu ndiye mukadzi, uye uyu ndiye mwanakomana wake Erisha waakararamisa.
  9734. 2Ki 8:6 Mambo paakabvunza mukadzi, iye wakamuudza. Naizvozvo mambo wakamumisira umwe mutenwa achiti: Dzosera zvose zvaiva zvake negoho rose remunda kubva pazuva raakabva panyika kusvika ikozvino.
  9735. 2Ki 8:7 Zvino Erisha wakasvika paDhamasiko; zvino Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya waiva achirwara; uye wakaudzwa zvichinzi: Munhu waMwari wasvika pano.
  9736. 2Ki 8:8 Zvino mambo wakati kuna Hazaeri: Tora chipo muruoko rwako, ugoenda unosangana nemunhu waMwari, ugobvunza kuna Jehovha naye, uti: Ndichapora pachirwere ichi here?
  9737. 2Ki 8:9 Naizvozvo Hazaeri wakaenda kunosangana naye, ndokutora chipo muruoko rwake, icho chezvakanakisisa zvose zveDhamasiko, mitoro yemakamera makumi mana, ndokusvika ndokumira pamberi pake, ndokuti: Mwanakomana wenyu Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya wandituma kwamuri achiti: Ndichapora here pachirwere ichi?
  9738. 2Ki 8:10 Erisha ndokuti kwaari: Enda unoti: Ungapora zvekupora asi Jehovha wandiratidza kuti uchafa zvekufa.
  9739. 2Ki 8:11 Zvino wakamisa chiso chake, ndokumunan’anidza kusvika anyara; munhu waMwari ndokuchema.
  9740. 2Ki 8:12 Zvino Hazaeri wakati: Nemhaka yei tenzi wangu achichema? Iye ndokuti: Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsraeri; nhare dzavo uchatungidza nemoto, uye majaya avo uchauraya nemunondo, uchapwanya pwere dzavo, uye vakadzi vavo vane mimba uchatumbura.
  9741. 2Ki 8:13 Zvino Hazaeri akati: Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa, kuti ndiite chinhu ichi chikuru? Erisha akati: Jehovha wakandizivisa kuti iwe uchava mambo pamusoro paSiriya.
  9742. 2Ki 8:14 Zvino wakabva kuna Erisha ndokuuya kuna tenzi wake; iye wakati kwaari: Erisha wati chii kwauri? Iye ndokuti: Wakandiudza kuti: Uchapora zvekupora.
  9743. 2Ki 8:15 Zvino zvakaitika chifume kuti wakatora nguvo yekufukidza ndokunyika mumvura ndokuwaridza pachiso chake kusvika afa; Hazaeri ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9744. 2Ki 8:16 Zvino mugore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha wakava mambo.
  9745. 2Ki 8:17 Waiva nemakore makumi matatu nemaviri paakava mambo. Zvino wakatonga makore masere paJerusarema.
  9746. 2Ki 8:18 Zvino wakafamba munzira yemadzimambo aIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha.
  9747. 2Ki 8:19 Asi Jehovha waiva asingadi kuparadza Judha, nekuda kwemuranda wake Dhavhidhi, sekuvimbisa kwake kwaari kuti achapa mwenje kwaari nekuvanakomana vake mazuva ose.
  9748. 2Ki 8:20 Mumazuva ake Edhomu wakapanduka kubva pasi peruoko rwaJudha, ndokuzviisira mambo pamusoro pavo.
  9749. 2Ki 8:21 Zvino Joramu wakayambukira kuZairi nengoro dzose dzaiva naye. Iye wakamuka usiku ndokurova vaEdhomu vaiva vakamukomba, nevakuru vengoro; vanhu ndokutizira kumatende avo.
  9750. 2Ki 8:22 Naizvozvo Edhomu wakapanduka kubva muruoko rwaJudha, kusvika zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akapanduka nenguva iyo.
  9751. 2Ki 8:23 Uye dzimwe dzenyaya dzaJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9752. 2Ki 8:24 Zvino Joramu wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Ahaziya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9753. 2Ki 8:25 Negore regumi nemaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsraeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha wakava mambo.
  9754. 2Ki 8:26 Ahaziya waiva nemakore makumi maviri nemaviri paakava mambo, zvino wakatonga gore rimwe muJerusarema. Zvino zita ramai vake raiva Atariya, mukunda waOmiri mambo waIsraeri.
  9755. 2Ki 8:27 Zvino wakafamba munzira yeimba yaAhabhi, ndokuita zvakaipa pameso aJehovha, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti waiva mukwasha weimba yaAhabhi.
  9756. 2Ki 8:28 Zvino wakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kunorwa naHazaeri mambo weSiriya paRamoti-Giriyadhi; VaSiriya ndokurova Joramu.
  9757. 2Ki 8:29 Zvino mambo Joramu wakadzokera kunorapiwa kuJezireeri kubva pamavanga VaSiriya avakamurova paRama pakurwa kwake naHazaeri mambo weSiriya. Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha ndokuburukira kunoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti wairwara.
  9758. 2Ki 9:1 Zvino muporofita Erisha wakadana umwe wevanakomana vevaporofita ndokuti kwaari: Sunga chiuno chako, ugotora chinu ichi chemafuta muruoko rwako ugoenda kuRamoti-Giriyadhi.
  9759. 2Ki 9:2 Kana wasvikapo, tarirapo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde, ugomusimudza kubva pakati pehama dzake, zvino umupinze mukamuri yemukati.
  9760. 2Ki 9:3 Zvino utore chinu chemafuta, ugodira pamusoro wake, ugoti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndakuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri. Zvino uchazarura mukova ugotiza, uye usanonoka.
  9761. 2Ki 9:4 Zvino jaya iro rakaenda, jaya muporofita, kuRamoti-Giriyadhi.
  9762. 2Ki 9:5 Parakasvika, tarira, vakuru vehondo vaiva vagere; rikati: Ndine shoko kwamuri mukuru. Jehu ndokuti: Kunani pakati pedu tese? Iro ndokuti: Kunemwi mukuru.
  9763. 2Ki 9:6 Zvino wakasimuka ndokupinda mumba. Zvino rakadira mafuta pamusoro wake, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Ndakuzodza kuva mambo pamusoro pevanhu vaJehovha, pamusoro paIsraeri.
  9764. 2Ki 9:7 Zvino ucharova imba yaAhabhi tenzi wako, kuti nditsive ropa revaranda vangu vaporofita neropa revaranda vose vaJehovha paruoko rwaJezebheri.
  9765. 2Ki 9:8 Nokuti imba yose yaAhabhi ichaparara; uye ndichagura kuna Ahabhi anowetera pamadziro, newakavharirwa, newakasununguka kwaIsraeri.
  9766. 2Ki 9:9 Zvino ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.
  9767. 2Ki 9:10 Zvino imbwa dzichadya Jezebheri padunhu raJezireeri, uye hakungavi neanomuviga. Zvino wakazarura mukova ndokutiza.
  9768. 2Ki 9:11 Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake. Umwe ndokuti kwaari: Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingei kwauri? Iye ndokuti kwavari: Imwi munoziva munhu uyu, nekutaura kwake.
  9769. 2Ki 9:12 Ivo ndokuti: Inhema! Tiudze ikozvino. Iye ndokuti: Wandiudza zvekuti nezvekuti, achiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndakakuzodza uve mambo pamusoro paIsraeri.
  9770. 2Ki 9:13 Ipapo vakakurumidza, umwe neumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati: Jehu ndimambo!
  9771. 2Ki 9:14 Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi wakarongera Joramu. Zvino Joramu wakachengetedza Ramoti-Giriyadhi, iye nevaIsraeri vose, nekuda kwaHazaeri mambo weSiriya.
  9772. 2Ki 9:15 Asi Jehoramu mambo wakadzokera kuJezireeri kunorapiwa mavanga VaSiriya avaiva vamurova paakarwa naHazaeri mambo weSiriya. Jehu ndokuti: Kana chiri chido chenyu, ngakurege kubuda anopukunyuka muguta, kunoreva izvi kuJezireeri.
  9773. 2Ki 9:16 Naizvozvo Jehu wakakwira ngoro, ndokuenda kuJezireeri, nokuti Joramu waiva arerepo. Zvino Ahaziya mambo waJudha waiva aburuka kuzoona Joramu.
  9774. 2Ki 9:17 Zvino kwakamira nharirire pashongwe muJezireeri, ndokuona chaunga chaJehu iye achiuya, ndokuti: Ndinoona chaunga. Jehoramu ndokuti: Tora mutasvi webhiza utume kunosangana navo, uye ngaati: Rugare here?
  9775. 2Ki 9:18 Naizvozvo kwakaenda mutasvi webhiza kunosangana naye, ndokuti: Ndizvo zvinoreva mambo: Rugare here? Jehu ndokuti: Unei nerugare? Tendeukira shure kwangu. Nharirire ndokureva ichiti: Nhume yakasvika kwavari, asi haidzoki.
  9776. 2Ki 9:19 Zvino wakatuma mutasvi webhiza wechipiri, iye ndokusvika kwavari, ndokuti: Ndizvo zvinoreva mambo: Rugare here? Jehu ndokuti: Unei nerugare? Tendeukira shure kwangu.
  9777. 2Ki 9:20 Nharirire ndokureva ichiti: Wakasvika kwavari asi haadzoki; uye kufambisa kwakafanana nekufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti anofambisa zvekupenga.
  9778. 2Ki 9:21 Zvino Jehoramu wakati: Sungai! Zvino vakasunga ngoro yake. Jehoramu mambo waIsraeri naAhaziya mambo waJudha, umwe neumwe pangoro yake, ndokubuda kunosangana naJehu; zvino vakamuwana mubindu raNabhoti muJezireeri.
  9779. 2Ki 9:22 Zvino zvakaitika Joramu paakaona Jehu, kuti wakati: Rugare here, Jehu? Iye ndokuti: Rugare rwei, ufeve hwamai vako Jezebheri neuroyi hwavo huchiri uzhinji!
  9780. 2Ki 9:23 Joramu ndokutendeusa maoko ake ndokutiza, ndokuti kuna Ahaziya: Unyengeri, Ahaziya!
  9781. 2Ki 9:24 Zvino Jehu wakahwembura kwazvo uta, ndokurova Joramu pakati pemafudzi ake; museve ndokubuda nepamoyo wake; ndokugwadama mungoro yake.
  9782. 2Ki 9:25 Zvino Jehu wakati kuna Bhidhikari mukuru wake: Simudza, umukande mubindu remunda waNabhoti muJezireeri; nokuti rangarira ini newe tatasva tiri vaviri shure kwaAhabhi baba vake, Jehovha wamutakudza mutoro uyu:
  9783. 2Ki 9:26 Zvirokwazvo nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa revanakomana vake, anoreva Jehovha; ndichakutsiva mubindu rino, anoreva Jehovha. Naizvozvo musimudze umukande mubindu iri, zvichienderana neshoko raJehovha.
  9784. 2Ki 9:27 Ahaziya mambo waJudha wakati aona ndokutiza nenzira yeimba yebindu. Jehu ndokudzingirirana naye ndokuti: Murovei naiye mungoro pakukwira kuGuri riri paIbhureami. Zvino wakatizira kuMegidho, ndokufirako.
  9785. 2Ki 9:28 Zvino varanda vake vakamutakura mungoro kuenda Jerusarema ndokumuviga muguva rake kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi.
  9786. 2Ki 9:29 Zvino mugore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi, Ahaziya wakava mambo pamusoro paJudha.
  9787. 2Ki 9:30 Jehu wakati asvika paJezireeri, Jezebheri wakazvinzwa ndokupenda meso ake ndokushongedza musoro wake, ndokudongorera nepahwindo.
  9788. 2Ki 9:31 Jehu paaipinda pasuwo, iye ndokuti: Rugare here, Zimiri, muurayi watenzi wake?
  9789. 2Ki 9:32 Zvino wakasimudzira chiso chake kuhwindo, ndokuti: Ndiani ari kwandiri? Ndiani? Zvino kwakadongorera kwaari vatenwa vaviri kana vatatu.
  9790. 2Ki 9:33 Zvino wakati: Mupotserei pasi. Zvino vakamupotsera pasi; rimwe reropa rake ndokutsatikira pamadziro nepamabhiza; zvino akamutsikira pasi.
  9791. 2Ki 9:34 Zvino wakapinda ndokudya ndokunwa, ndokuti: Zvino tarisai uyu mukadzi wakatukwa umuvige, nokuti mukunda wamambo.
  9792. 2Ki 9:35 Zvino vakaenda kunomuviga, asi havana kuwana chake kunze kwedehenya, netsoka, nezvanza zvemaoko.
  9793. 2Ki 9:36 Naizvozvo vakadzoka ndokumuudza. Iye ndokuti: Iri ishoko raJehovha raakataura kubudikidza neruoko rwemuranda wake Eria muTishibhi richiti: Padunhu reJezireeri imbwa dzichadya nyama yaJezebheri;
  9794. 2Ki 9:37 uye chitunha chaJezebheri chichava semupfudze pachiso chevhu padunhu reJezireeri, kuti vasati: Uyu ndiJezebheri.
  9795. 2Ki 10:1 Zvino Ahabhi waiva ane vanakomana makumi manomwe paSamariya. Jehu ndokunyora tsamba, ndokudzitumira kuSamariya kumisoro yeJezireeri, vakuru, nekuvareri [vevana] vaAhabhi, achiti:
  9796. 2Ki 10:2 Zvino ikozvino pakusvika kwetsamba iyi kwamuri, vanakomana vatenzi wenyu zvavari kwamuri, uye ngoro nemabhiza zviri kwamuri, neguta rakashoshewa, nezvombo,
  9797. 2Ki 10:3 zvionerei wakanakisisa uye wakafanira kuvanakomana vatenzi wenyu, muise pachigaro cheushe chababa vake, uye murwire imba yatenzi wenyu.
  9798. 2Ki 10:4 Asi vakatya zvikurusa, ndokuti: Tarirai, madzimambo maviri haana kumira pamberi pake, zvino isu tichamira sei?
  9799. 2Ki 10:5 Zvino umwe waitarira imba, neumwe waitarira guta, nevakuru, nevareri vevana vakatuma kuna Jehu, vachiti: Tiri varanda venyu, uye zvose zvamuchareva kwatiri tichaita. Hatingaisi munhu ave mambo. Itai zvakanaka pameso enyu.
  9800. 2Ki 10:6 Zvino wakavanyorera tsamba rwechipiri achiti: Kana muri vangu uye muchiteerera kuinzwi rangu, torai misoro yevarume ava, vanakomana vamambo wenyu, mugouya kwandiri kuJezireeri mangwana nenguva inenge ino. Zvino vanakomana vamambo, vanhu makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta vaivarera.
  9801. 2Ki 10:7 Zvino zvakaitika pakusvika kwetsamba kwavari, kuti vakatora vanakomana vamambo, ndokuuraya vanhu makumi manomwe, ndokuisa misoro yavo mumatengu, ndokutumira kwaari kuJezireeri.
  9802. 2Ki 10:8 Zvino kwakauya nhume ndokumuudza ichiti: Vaunza misoro yevanakomana vamambo. Iye ndokuti: Iitei mirwi miviri pamukova wesuwo kusvika mangwanani.
  9803. 2Ki 10:9 Zvino zvakaitika mangwanani kuti wakabuda ndokumira ndokuti kuvanhu vese: Imwi makarurama, tarirai ini ndakarongera tenzi wangu, ndokumuuraya; asi ndiani wauraya ava vese?
  9804. 2Ki 10:10 Zivai ikozvino kuti hakungawiri chinhu pasi pashoko raJehovha, Jehovha raakataura pamusoro peimba yaAhabhi; nokuti Jehovha wakaita zvaakataura neruoko rwemuranda wake Eria.
  9805. 2Ki 10:11 Naizvozvo Jehu wakauraya vose vaiva vasara veimba yaAhabhi muJezireeri, nevakuru vake vose, nevazikanwi vake, nevapristi vake, kusvika asina kumusiira musiiwa.
  9806. 2Ki 10:12 Zvino wakasimuka ndokubva ndokuenda kuSamariya; ari paimba yekuveurira makwai yevafudzi panzira,
  9807. 2Ki 10:13 Jehu wakasangana nevanin’ina vaAhaziya mambo waJudha, ndokuti: Ndimwi vana ani? Ivo ndokuti: Tiri vanin’ina vaAhaziya, uye tinoburuka kunokwazisa vana vamambo nevana vavahosi.
  9808. 2Ki 10:14 Iye ndokuti: Vabatei vari vapenyu. Zvino vakavabata vari vapenyu, ndokuvauraira pagomba reBheti-Ekedhi, varume makumi mana nevaviri; uye haana kusiya umwe wavo.
  9809. 2Ki 10:15 Wakati abvapo, wakawana Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, achizomuchingamidza; ndokumukwazisa, ndokuti kwaari: Moyo wako wakarurama here, sezvo moyo wangu une moyo wako? Jehonadhabhi ndokuti: Wakadaro. Kana zvakadaro, ndipe ruoko rwako. Zvino wakapa ruoko rwake ndokumukwidza mungoro kwaari.
  9810. 2Ki 10:16 Zvino wakati: Hendei neni, mugovona kushingairira kwangu Jehovha. Zvino vakamutasvisa mungoro yake.
  9811. 2Ki 10:17 Pakusvika kwake kuSamariya, wakarova vose vaiva vasara kuna Ahabhi muSamariya kusvika amupedza, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura kuna Eria.
  9812. 2Ki 10:18 Zvino Jehu akaunganidza vanhu vose, ndokuti kwavari: Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvikuru.
  9813. 2Ki 10:19 Naizvozvo ikozvino ndidanirei vaporofita vose vaBhaari, varanda vake vose, nevapristi vake vose, kusava neanoshaikwa; nokuti ndine chibairo chikuru kuna Bhaari; ani nani anoshaikwa haangararami. Asi Jehu wakaita nekunyengera, nechinangwa chekuti aparadze varanda vaBhaari.
  9814. 2Ki 10:20 Jehu ndokuti: Tsaurirai Bhaari mutambo wakadzama. Zvino vakaudanidzira.
  9815. 2Ki 10:21 Zvino Jehu wakatuma nhume kuna Israeri wose, varanda vose vaBhaari ndokuuya; hakuna kutongosara umwe asina kuuya. Zvino vakapinda mumba maBhaari kusvika yazara imba yaBhaari kubva kumuromo kusvika kumuromo.
  9816. 2Ki 10:22 Zvino wakati kuumwe waitarira imba yenguvo: Budisira varanda vose vaBhaari nguvo. Iye akavabudisira nguvo.
  9817. 2Ki 10:23 Zvino Jehu wakapinda ana Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhi muimba yaBhaari, ndokuti kuvaranda vaBhaari: Nzverai muone kuti hakuna kwamuri vevaranda vaJehovha here pano, asi varanda vaBhaari chete.
  9818. 2Ki 10:24 Zvino vapinda kuita zvibairo nezvipo zvinopiswa, Jehu waiva azvigadzira varume makumi masere panze ndokuti: Munhu kuvarume vandaisa mumaoko enyu achipukunyuka, upenyu hwake huchava pachinzvimbo cheupenyu hwake.
  9819. 2Ki 10:25 Zvino zvakaitika paakangopedza kuita chipo chinopiswa, kuti Jehu wakati kuvarindi nekuvatungamiriri: Pindai, muvauraye; kusabuda munhu. Zvino vakavarova nekwakapinza kwemunondo; varindi nevatungamiriri ndokuvapotsera, ndokuenda kuguta reimba yaBhaari.
  9820. 2Ki 10:26 Zvino vakabudisa mbiru dziri zvifananidzo zveimba yaBhaari, ndokudzipisa.
  9821. 2Ki 10:27 Vakaputsawo mbiru yaBhaari iri chifananidzo, ndokuputsa imba yaBhaari, ndokuiita imba yezvimbuzi kusvika nhasi.
  9822. 2Ki 10:28 Saizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari kubva muIsraeri.
  9823. 2Ki 10:29 Asi zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri atadze, Jehu haana kubva pakuzvitevera, mhuru dzegoridhe dzaiva paBheteri nedzaiva paDhani.
  9824. 2Ki 10:30 Zvino Jehovha wakati kuna Jehu: Zvawakaita zvakanaka pakuita zvakarurama pameso angu, waita kuimba yaAhabhi zvinoenderana nezvose zvanga zviri mumoyo mangu, vana vako verudzi rwechina vachagara pachigaro cheushe hwaIsraeri.
  9825. 2Ki 10:31 Asi Jehu haana kuchenjerera kufamba mumurairo waJehovha Mwari waIsraeri nemoyo wake wese; haana kubva pazvivi zvaJerobhoamu zvaakaita kuti Israeri atadze.
  9826. 2Ki 10:32 Pamazuva iwawo Jehovha wakatanga kutapudza Israeri; Hazaeri ndokuvarova pamiganhu yose yekwaIsraeri:
  9827. 2Ki 10:33 Kubva kuna Joridhani nechekumabvazuva, nyika yose yeGiriyadhi, vekwaGadhi, nevekwaRubheni, nevekwaManase, kubva paAroeri riri pamupata weArinoni, neGiriyadhi neBhashani.
  9828. 2Ki 10:34 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9829. 2Ki 10:35 Jehu ndokurara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga paSamariya; Jehoahazi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9830. 2Ki 10:36 Zvino mazuva aJehu aakatonga pamusoro paIsraeri paSamariya aiva makore makumi maviri nemasere.
  9831. 2Ki 11:1 Atariya mai vaAhaziya paakaona kuti mwanakomana wake wafa, wakasimuka ndokuparadza mbeu yose yeumambo.
  9832. 2Ki 11:2 Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhaziya, wakatora Joashi mwanakomana waAhaziya, ndokumuba kubva pakati pevanakomana vamambo vaiurawa, iye nemureri wake mukamuri yemibhedha. Zvino vakamuviga pachiso chaAtariya kuti asaurawa.
  9833. 2Ki 11:3 Zvino waiva naye muimba yaJehovha akazvivanza makore matanhatu; Atariya ndokutonga pamusoro penyika.
  9834. 2Ki 11:4 Zvino negore rechinomwe Jehoyadha wakatuma nhume ndokutora misoro yemazana yevaKari neyevarindi, ndokuiunza kwaari muimba yaJehovha, ndokuita sungano navo, ndokuvapikisa muimba yaJehovha, ndokuvaratidza mwanakomana wamambo.
  9835. 2Ki 11:5 Zvino wakavaraira achiti: Ichi chinhu chamuchaita: Chetatu chenyu chinopinda nesabata chichava varindi vechirindo cheimba yamambo;
  9836. 2Ki 11:6 uye chetatu chichava pasuwo reSuri; uye chetatu pasuwo shure kwevarindi; saizvozvo muchachengeta chirindo cheimba, isapaziwa.
  9837. 2Ki 11:7 Zvino mapoka maviri enyu mose munobuda nesabata, naivo vachachengetedza chirindo cheimba yaJehovha maererano namambo.
  9838. 2Ki 11:8 Zvino muchakomba mambo kupoteredza, murume umwe neumwe ane zvombo zvake muruoko rwake; uye anopinda pamitsara achaurawa. Muve namambo pakubuda kwake nepakupinda kwake.
  9839. 2Ki 11:9 Zvino misoro yemazana yakaita zvinoenderana nezvose mupristi Jehoyadha zvaakaraira; ndokutora umwe neumwe vanhu vake vaipinda nesabata, pamwe nevaibuda nesabata, ndokusvika kuna Jehoyadha mupristi.
  9840. 2Ki 11:10 Zvino mupristi wakapa misoro yemazana mapfumo nenhovo zvaiva zvamambo Dhavhidhi zvaiva mumba maJehovha.
  9841. 2Ki 11:11 Zvino varindi vakamira, umwe neumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba, paaritari nepaimba kuna mambo mativi ose.
  9842. 2Ki 11:12 Zvino wakabudisa mwanakomana wamambo, ndokuisa korona pamusoro pake, nechipupuriro, zvino vakamuisa akava mambo, vakamuzodza; ndokurova maoko, ndokuti: Mambo ngaararame!
  9843. 2Ki 11:13 Atariya paakanzwa mhere-mhere yevarindi nevanhu, wakaenda kuvanhu muimba yaJehovha.
  9844. 2Ki 11:14 Zvino wakaona, tarira zvino, mambo amire pambiru setsika, nevatungamiriri nevaridzi vehwamanda vari kuna mambo; uye vanhu vose venyika vakafara vachiridza dzihwamanda. Zvino Atariya akabvarura nguvo dzake, ndokudanidzira achiti: Kurongera, kurongera!
  9845. 2Ki 11:15 Zvino Jehoyadha mupristi wakaraira misoro yemazana, vabati vehondo, ndokuti kwavari: Mubudisirei kunze kwemitsara; neanomutevera mumuuraye nemunondo. Nokuti mupristi wakati: Ngaasaurairwa muimba yaJehovha.
  9846. 2Ki 11:16 Zvino vakamubata nemaoko, iye ndokuenda nenzira mabhiza yaakapinda nayo muimba yamambo, ndokuurayirwapo.
  9847. 2Ki 11:17 Zvino Jehoyadha wakaita sungano pakati paJehovha namambo nevanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uye pakati pamambo nevanhu.
  9848. 2Ki 11:18 Zvino vanhu vose venyika vakapinda muimba yaBhaari, ndokuiputsira pasi; aritari dzake nemifananidzo yake vakazviparadza kwazvo, uye Matani mupristi waBhaari vakamuuraya pamberi pedziaritari. Mupristi ndokuisa vatariri pamusoro peimba yaJehovha.
  9849. 2Ki 11:19 Zvino wakatora misoro yemazana, nevaKari, nevarindi, nevanhu vose venyika, ndokuburusa mambo kubva paimba yaJehovha, ndokuuya nenzira yesuwo revarindi kuimba yamambo. Zvino akagara pachigaro cheushe chemadzimambo.
  9850. 2Ki 11:20 Zvino vanhu vose venyika vakafara, guta ndokuva murunyararo, vauraya Atariya nemunondo paimba yamambo.
  9851. 2Ki 11:21 Jehoashi waiva ane makore manomwe paakava mambo.
  9852. 2Ki 12:1 Mugore rechinomwe raJehu Jehoashi wakava mambo, ndokutonga makore makumi mana paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Zibhia weBheeri-Shebha.
  9853. 2Ki 12:2 Jehoashi ndokuita zvakarurama pameso aJehovha mazuva ake ose mupristi Jehoyadha aakamudzidzisa nawo.
  9854. 2Ki 12:3 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kusuduruswa; vanhu vaingopa zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.
  9855. 2Ki 12:4 Zvino Jehoashi wakati kuvapristi: Mari yose yezvinhu zvakaitwa zvitsvene inouiswa muimba yaJehovha, mari yeumwe neumwe anopfuura kune vakaverengwa, mari yeumwe neumwe yaanoyera, mari yose, zvinobva pamoyo yeupi neupi munhu kuiuisa kuimba yaJehovha,
  9856. 2Ki 12:5 vapristi ngavaitore kwavari, umwe neumwe kumuzikanwi wake; zvino ivo vanogadzirisa maburi eimba pose panowanikwa buri.
  9857. 2Ki 12:6 Zvino zvakaitika mugore remakumi maviri nematatu ramambo Jehoashi, vapristi vaiva vasati vagadzirisa maburi eimba.
  9858. 2Ki 12:7 Zvino mambo Jehoashi wakadana Jehoyadha mupristi nevapristi, ndokuti kwavari: Munoregerei kugadzira maburi eimba? Naizvozvo musatora mari kuvazikanwi venyu, asi muipe kumaburi eimba.
  9859. 2Ki 12:8 Zvino vapristi vakatenda kusatora mari kuvanhu, kana kugadzira maburi eimba.
  9860. 2Ki 12:9 Asi Jehoyadha mupristi wakatora bhokisi rimwe, ndokuboora buri pachifunhiro charo, ndokurigadzika parutivi rwearitari, kurudyi kana munhu achipinda paimba yaJehovha. Zvino vapristi vanorinda sasa vakaisa mariri mari yose yakauiswa kuimba yaJehovha.
  9861. 2Ki 12:10 Zvino zvakaitika pakuona kwavo kuti mari yawanda mubhokisi, kuti kwakakwira munyori wamambo nemupristi mukuru ndokuuya ndokuisunga ndokuverenga mari yakawanikwa muimba yaJehovha.
  9862. 2Ki 12:11 Zvino vakapa mari yakayerwa mumaoko evaiti vebasa, vaongorori veimba yaJehovha; ndokuibudisira kuvavezi vematanda nekuvavaki vaishanda muimba yaJehovha,
  9863. 2Ki 12:12 nekuvarongi vemabwe nekuvavezi vemabwe, nekutenga matanda nemabwe akavezwa, kugadzira maburi eimba yaJehovha, nekune zvose zvakabudisirwa imba kuigadzirisa.
  9864. 2Ki 12:13 Asi hakuna kuitirwa imba yaJehovha ndiro dzesirivha, mbato dzemwenje, madhishi ekusasira, hwamanda, midziyo ipi neipi yegoridhe, nemidziyo yesirivha, kubva pamari yakauiswa kuimba yaJehovha.
  9865. 2Ki 12:14 Asi vakaipa kuvaiti vebasa, ivo ndokugadzirisa nayo imba yaJehovha.
  9866. 2Ki 12:15 Uye havana kuzoverengera vanhu muruoko rwavo mavakapa mari kupa kuvaiti vebasa; nokuti vaiita nekuvimbika.
  9867. 2Ki 12:16 Mari yechipo chekudarika nemari yechipo chechivi haina kuuiswa muimba yaJehovha; yaiva yevapristi.
  9868. 2Ki 12:17 Panguva iyoyo Hazaeri mambo weSiriya wakakwira ndokurwa neGati, ndokuritapa; Hazaeri ndokuringira chiso chake kukwira kuJerusarema.
  9869. 2Ki 12:18 Zvino Jehoashi mambo waJudha wakatora zvinhu zvose zvakaitwa zvitsvene izvo Jehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake, madzimambo aJudha zvavaiva vaita zvitsvene, nezvinhu zvake zvakaitwa zvitsvene, negoridhe rose rakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, ndokutumira kuna Hazaeri mambo weSiriya; iye ndokukwira kubva Jerusarema.
  9870. 2Ki 12:19 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9871. 2Ki 12:20 Zvino varanda vake vakasimuka, ndokuita rangano, ndokurova Joashi muimba yaMiro, inoburukira kuSira.
  9872. 2Ki 12:21 Nokuti Jozabhadhi mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamurova, iye ndokufa; zvino vakamuviga pamwe nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Amaziya mwanakomana wake akava mambo pachinzvimbo chake.
  9873. 2Ki 13:1 Mugore remakumi maviri nematatu raJoashi mwanakomana waAhaziya mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakava mambo pamusoro paIsraeri muSamariya, makore gumi nemanomwe.
  9874. 2Ki 13:2 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha, ndokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri atadze; haana kutsauka kwazviri.
  9875. 2Ki 13:3 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, ndokuvapa muruoko rwaHazaeri mambo weSiriya, nemuruoko rwaBheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri, mazuva ose.
  9876. 2Ki 13:4 Zvino Jehoahazi wakanyengeterera chiso chaJehovha; Jehovha ndokumunzwa; nokuti waiva aona kudzvinyirirwa kwaIsraeri nokuti mambo weSiriya waivadzvinyirira.
  9877. 2Ki 13:5 Zvino Jehovha wakapa kuna Israeri muponesi, kuti vabude pasi peruoko rwevaSiriya. Vana vaIsraeri ndokugara mumatende avo sazuro namarimwezuro.
  9878. 2Ki 13:6 Kunyange zvakadaro havana kutsauka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu zvaakaita kuti Israeri atadze; vakafamba mazviri; nedandawo rekunamata naro raingova paSamariya.
  9879. 2Ki 13:7 Nokuti haana kusiira Jehoahazi vamwe vevanhu, kunze kwevatasvi vemabhiza makumi mashanu, nengoro gumi, nevanofamba netsoka zvuru gumi; nokuti mambo weSiriya waiva avaparadza, ndokuvaita seguruva nekupura.
  9880. 2Ki 13:8 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoahazi, nezvose zvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9881. 2Ki 13:9 Zvino Jehoahazi wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muSamariya; Joashi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9882. 2Ki 13:10 Mugore remakumi matatu nemanomwe raJoashi mambo waJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi wakava mambo pamusoro paIsraeri muSamariya, makore gumi nematanhatu.
  9883. 2Ki 13:11 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri atadze; akafamba mazviri.
  9884. 2Ki 13:12 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJoashi, nezvose zvaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9885. 2Ki 13:13 Zvino Joashi wakarara nemadzibaba ake. Jerobhoamu ndokugara pachigaro chake cheushe. Joashi ndokuvigwa muSamariya pamwe nemadzimambo aIsraeri.
  9886. 2Ki 13:14 Zvino Erisha wakarwara denda raakafa naro; Joashi mambo waIsraeri ndokuburukira kwaari ndokuchema misodzi pamusoro pechiso chake, ndokuti: Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsraeri nevatasvi vemabhiza vayo!
  9887. 2Ki 13:15 Erisha ndokuti kwaari: Tora uta nemiseve. Iye ndokuzvitorera uta nemiseve.
  9888. 2Ki 13:16 Zvino wakati kuna mambo waIsraeri: Isa ruoko rwako pauta. Iye ndokuisa ruoko rwake. Erisha ndokuisa maoko ake pamusoro pemaoko amambo.
  9889. 2Ki 13:17 Zvino wakati: Zarura hwindo nechekumabvazuva. Iye ndokuzarura. Erisha ndokuti: Fura! Iye ndokufura. Erisha ndokuti: Museve werusununguko rwaJehovha, nemuseve werusununguko kubva kuna Siriya; nokuti iwe ucharova VaSiriya paAfeki, kusvika wavapedza.
  9890. 2Ki 13:18 Zvino wakati: Tora miseve. Iye ndokutora. Iye ndokuti kuna mambo waIsraeri: Rova pasi! Iye ndokurova katatu, ndokumira.
  9891. 2Ki 13:19 Zvino munhu waMwari wakatsamwiswa naye, ndokuti: Dai wakarova kashanu kana katanhatu; ipapo waizorova Siriya kusvika waipedza; zvino ikozvino ucharova Siriya katatu.
  9892. 2Ki 13:20 Zvino Erisha wakafa, ivo ndokumuviga. Zvino hondo dzakarongwa dzaMoabhu dzakapinda munyika pakupinda kwegore.
  9893. 2Ki 13:21 Zvino zvakaitika pavaiviga munhu, zvino tarira, vakaona hondo yakarongwa, ndokukanda munhu muguva raErisha; zvino munhu paakanogunzva mapfupa aErisha, wakararama, ndokusimuka nemakumbo ake.
  9894. 2Ki 13:22 Zvino Hazaeri mambo weSiriya wakatambudza Israeri mazuva ose aJehoahazi.
  9895. 2Ki 13:23 Asi Jehovha wakavaitira nyasha, ndokuvanzwira tsitsi, ndokutendeukira kwavari, nekuda kwesungano yake naAbhurahama, Isaka, naJakove, uye haana kuda kuvaparadza, uye haana kuvarasa pachiso chake kusvika ikozvino.
  9896. 2Ki 13:24 Zvino Hazaeri mambo weSiriya wakafa; Bheni-Hadhadhi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9897. 2Ki 13:25 Zvino Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve kubva muruoko rwaBheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aaiva atora muruoko rwaJehoahazi baba vake nehondo. Joashi ndokumurova katatu, ndokudzosera maguta aIsraeri.
  9898. 2Ki 14:1 Mugore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsraeri, Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakava mambo.
  9899. 2Ki 14:2 Waiva ane makore makumi maviri nemashanu paakava mambo, ndokutonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jehoadhani weJerusarema.
  9900. 2Ki 14:3 Zvino wakaita zvakarurama pameso aJehovha, asi hazvina kufanana nababa vake Dhavhidhi; wakaita sezvose baba vake Joashi zvavakaita.
  9901. 2Ki 14:4 Kunyange zvakadaro nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; vanhu vaingobaira nekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.
  9902. 2Ki 14:5 Zvino zvakaitika ushe hwasimbiswa muruoko rwake kuti wakarova varanda vake vaiva varova mambo baba vake.
  9903. 2Ki 14:6 Asi vana vevaurayi haana kuuraya, zvichienderana nezvakanyorwa mubhuku remurairo waMozisi, Jehovha maakaraira achiti: Madzibaba haangaurawi nekuda kwevana, uye vana havangaurawi nekuda kwemadzibaba; asi munhu umwe neumwe achaurairwa chivi chake.
  9904. 2Ki 14:7 Iye wakarova vaEdhomu zvuru gumi pamupata wemunyu, ndokutapa Sera nehondo, ndokutumidza zita rayo Joketeeri kusvika zuva ranhasi.
  9905. 2Ki 14:8 Ipapo Amaziya wakatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsraeri, achiti: Uya titarisane chiso nechiso.
  9906. 2Ki 14:9 Zvino Jehoashi mambo waIsraeri wakatuma kuna Amaziya mambo waJudha, achiti: Munzwa uyu waiva paRebhanoni wakatuma kumusidhari waiva paRebhanoni, uchiti: Ipa mukunda wako kumwanakomana wangu kuva mukadzi. Zvino kwakapfuura chikara chesango chiri paRebhanoni, ndokutsikira munzwa pasi.
  9907. 2Ki 14:10 Warova zvirokwazvo Edhomu, uye moyo wako wakusimudzira. Kudzika, ugare mumba mako; nokuti unozvimutsirirei njodzi, kuti uwe iwe naJudha pamwe newe?
  9908. 2Ki 14:11 Asi Amaziya haana kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsraeri wakakwira, iye naAmaziya mambo waJudha vakatarisana chiso nechiso paBheti-Shemeshi riri raJudha.
  9909. 2Ki 14:12 Zvino Judha wakarohwa pamberi paIsraeri, ndokutiza umwe neumwe kutende rake.
  9910. 2Ki 14:13 Jehoashi mambo waIsraeri ndokubata Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhaziya, paBheti-Shemeshi, ndokusvika paJerusarema, ndokuputsa rusvingo rweJerusarema pasuwo raEfuremu kusvika pasuwo rapakona, makubhiti mazana mana.
  9911. 2Ki 14:14 Zvino wakatora goridhe rose, nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa muimba yaJehovha, nepafuma yeimba yamambo, nevaiva chibatiso, ndokudzokera kuSamariya.
  9912. 2Ki 14:15 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoashi dzaakaita, nesimba rake, nokuti wakarwa sei naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9913. 2Ki 14:16 Zvino Jehoashi wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa paSamariya kumadzimambo aIsraeri; Jerobhoamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9914. 2Ki 14:17 Zvino Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakararama makore gumi nemashanu shure kwekufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.
  9915. 2Ki 14:18 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAmaziya hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9916. 2Ki 14:19 Zvino vakamurongera rangano paJerusarema, iye ndokutizira kuRakishi; asi vakatuma vanhu kumutevera kuRakishi, ndokumuurairapo.
  9917. 2Ki 14:20 Zvino vakamutakura nemabhiza, uye wakavigwa muJerusarema kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi.
  9918. 2Ki 14:21 Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azariya, waiva nemakore gumi nematanhatu, ndokumuita mambo pachinzvimbo chababa vake Amaziya.
  9919. 2Ki 14:22 Iye wakavaka Erati, ndokuridzosera kuna Judha, shure kwekurara kwamambo pamwe nemadzibaba ake.
  9920. 2Ki 14:23 Mugore regumi nemashanu raAmaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo waIsraeri wakava mambo paSamariya, makore makumi mana nerimwe.
  9921. 2Ki 14:24 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka kubva pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Israeri.
  9922. 2Ki 14:25 Iye wakadzosera muganhu waIsraeri kubva pakupinda paHamati kusvika pagungwa remapani, zvichienderana neshoko raJehovha Mwari waIsraeri, raakataura neruoko rwemuranda wake Jona mwanakomana waAmitai, muporofita waibva kuGati-Heferi.
  9923. 2Ki 14:26 Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsraeri, kwarwadza zvikuru; nokuti kwaiva kusina anovharirwa, uye kusina wakasununguka, uye kusina mubatsiri kwaIsraeri.
  9924. 2Ki 14:27 Zvino Jehovha haana kureva kuti achadzima zita raIsraeri pasi pematenga, asi wakavaponesa neruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.
  9925. 2Ki 14:28 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, kuti wakarwa sei, uye kuti wakadzosa sei Dhamasiko neHamati kuna Israeri, aiva aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9926. 2Ki 14:29 Zvino Jerobhoamu wakarara nemadzibaba ake, nemadzimambo aIsraeri; Zekariya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9927. 2Ki 15:1 Mugore remakumi maviri nemanomwe raJerobhoamu mambo waIsraeri, Azariya mwanakomana waAmaziya mambo waJudha wakava mambo.
  9928. 2Ki 15:2 Waiva nemakore gumi nematanhatu paakava mambo, akatonga makore makumi mashanu nemaviri paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jekoria weJerusarema.
  9929. 2Ki 15:3 Zvino wakaita zvakarurama pameso aJehovha, zvinoenderana nezvose baba vake Amaziya zvavakaita.
  9930. 2Ki 15:4 Koga nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; vanhu vaingopa zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.
  9931. 2Ki 15:5 Zvino Jehovha wakarova mambo zvekuti wakava wemaperembudzi kusvika pazuva rekufa kwake, ndokugara muimba yakaparadzaniswa. Jotamu mwanakomana wamambo ndokuva mubati weimba, achitonga vanhu venyika.
  9932. 2Ki 15:6 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAzariya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9933. 2Ki 15:7 Zvino Azariya wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga pamwe nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Jotamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9934. 2Ki 15:8 Mugore remakumi matatu nemasere raAzariya mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakatonga pamusoro paIsraeri paSamariya mwedzi mitanhatu.
  9935. 2Ki 15:9 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.
  9936. 2Ki 15:10 Zvino Sharumi mwanakomana waJabheshi wakamurongera ndokumurova pamberi pevanhu, ndokumuuraya, ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9937. 2Ki 15:11 Zvino dzimwe dzenyaya dzaZekariya, tarirai dzakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.
  9938. 2Ki 15:12 Iri ishoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti: Vanakomana vako vachagara pachigaro cheushe hwaIsraeri kusvika parudzi rwechina. Zvakava saizvozvo.
  9939. 2Ki 15:13 Sharumi mwanakomana waJabheshi wakava mambo mugore remakumi matatu nemapfumbamwe raUziya mambo waJudha; ndokutonga mwedzi uzere paSamariya.
  9940. 2Ki 15:14 Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi wakakwira kubva Tiriza, ndokuuya paSamariya, ndokurova Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamariya, ndokumuuraya, ndokutonga pachinzvimbo chake.
  9941. 2Ki 15:15 Zvino dzimwe dzenyaya dzaSharumi, nekurongera kwake kwaakaita, tarirai dzakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.
  9942. 2Ki 15:16 Panguva iyoyo Menahemi wakarova Tifisa, nevose vaiva mariri, nemiganhu yaro kubva paTiriza; nokuti havana kumuzarurira; naizvozvo wakarova akatumbura vakadzi varo vose vaiva nemimba.
  9943. 2Ki 15:17 Mugore remakumi matatu nemapfumbamwe raAzariya mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi wakava mambo pamusoro paIsraeri, akatonga makore gumi paSamariya.
  9944. 2Ki 15:18 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka mazuva ake ose pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakaita kuti Israeri atadze.
  9945. 2Ki 15:19 Puri mambo weAsiriya wakauya kurwisa nyika; Menahemi ndokupa kuna Puri matarenda churu esirivha, kuti ruoko rwake rwuve naye kusimbisa umambo muruoko rwake.
  9946. 2Ki 15:20 Menahemi ndokuripisa Israeri mari, vanhu vose vesimba paufumi, kupa mambo weAsiriya, pamunhu umwe neumwe mashekeri makumi mashanu esirivha. Mambo weAsiriya ndokudzokera, akasagarapo panyika.
  9947. 2Ki 15:21 Zvino dzimwe dzenyaya dzaMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?
  9948. 2Ki 15:22 Zvino Menahemi wakarara nemadzibaba ake. Pekahia mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9949. 2Ki 15:23 Mugore remakumi mashanu raAzariya mambo waJudha, Pekahia mwanakomana waMenahemi wakava mambo pamusoro paIsraeri paSamariya, makore maviri.
  9950. 2Ki 15:24 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.
  9951. 2Ki 15:25 Asi Peka mwanakomana waRemariya mukuru wake wakamurongera ndokumurova paSamariya, munhare yeimba yamambo, pamwe naArigobhi naAriye, nevanhu makumi mashanu vevanakomana vevaGiriyadhi vaaiva navo; ndokumuuraya, ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9952. 2Ki 15:26 Zvino dzimwe dzenyaya dzaPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.
  9953. 2Ki 15:27 Mugore remakumi mashanu nemaviri raAzariya mambo waJudha, Peka mwanakomana waRemariya wakava mambo pamusoro paIsraeri paSamariya, makore makumi maviri.
  9954. 2Ki 15:28 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.
  9955. 2Ki 15:29 Mumazuva aPeka mambo waIsraeri kwakauya Tigirati-Pireseri mambo weAsiriya, ndokutora Ijoni, neAbheri-Bheti-Maaka, neJanowa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGarirea, nyika yose yaNafutari; ndokuvatapa kuenda kuAsiriya.
  9956. 2Ki 15:30 Zvino Hoshea mwanakomana waEra wakarongera rangano Peka mwanakomana waRemariya, ndokumurova, ndokumuuraya, ndokuva mambo pachinzvimbo chake mugore remakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya.
  9957. 2Ki 15:31 Zvino dzimwe dzenyaya dzaPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.
  9958. 2Ki 15:32 Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemariya mambo waIsraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha wakava mambo.
  9959. 2Ki 15:33 Waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore gumi nematanhatu; uye zita ramai vake raiva Jerusha mukunda waZadhoki.
  9960. 2Ki 15:34 Zvino wakaita zvakarurama pameso aJehovha, zvichienderana nezvose baba vake Uziya zvavakaita.
  9961. 2Ki 15:35 Koga nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa. Vanhu vaingobaira zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira. Iye wakavaka suwo rekumusoro reimba yaJehovha.
  9962. 2Ki 15:36 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJotamu, zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9963. 2Ki 15:37 Mumazuva iwawo Jehovha wakatanga kutumira kuna Judha Rezini mambo weSiriya naPeka mwanakomana waRemariya.
  9964. 2Ki 15:38 Zvino Jotamu wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa kumadzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9965. 2Ki 16:1 Mugore regumi nemanomwe raPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo waJudha wakava mambo.
  9966. 2Ki 16:2 Ahazi waiva nemakore makumi maviri paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore gumi nematanhatu. Zvino haana kuita zvakarurama pameso aJehovha Mwari wake, saDhavhidhi baba vake.
  9967. 2Ki 16:3 Asi wakafamba nenzira yemadzimambo aIsraeri, hongu, uye wakaita kuti mwanakomana wake apfuure nemumoto, zvichienderana nezvinyangadzo zvevahedheni, Jehovha vaakadzinga pamberi pevana vaIsraeri.
  9968. 2Ki 16:4 Zvino wakabaira nekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira nepazvikomo uye pasi pemiti yose minyoro.
  9969. 2Ki 16:5 Ipapo Rezini mambo weSiriya, naPeka mwanakomana waRemariya mambo waIsraeri, vakakwira kuJerusarema kuhondo; vakakomba Ahazi, asi havana kugona kumukunda.
  9970. 2Ki 16:6 Panguva iyo Rezini mambo weSiriya wakadzosera Erati kuna Siriya, ndokubvisa vaJudha paErati; VaSiriya ndokuuya paErati, ndokugarapo kusvika nhasi.
  9971. 2Ki 16:7 Zvino Ahazi wakatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiriya, achiti: Ndiri muranda wenyu uye mwanakomana wenyu; kwirai mundiponese kubva muruoko rwamambo weSiriya, nekubva muruoko rwamambo waIsraeri, vanondimukira.
  9972. 2Ki 16:8 Zvino Ahazi wakatora sirivha negoridhe zvakawanikwa muimba yaJehovha uye mufuma yeimba yamambo, ndokutumira kuna mambo weAsiriya, chive chipo.
  9973. 2Ki 16:9 Zvino mambo weAsiriya wakamuteerera, nokuti mambo weAsiriya wakakwira kunorwisa Dhamasiko, ndokuritapa, ndokutapira vanhu varo kuKiri, ndokuuraya Rezini.
  9974. 2Ki 16:10 Zvino mambo Ahazi wakaenda kuDhamasiko kunosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiriya; ndokuona aritari yaiva iri paDhamasiko. Mambo Ahazi ndokutuma kuna Uriya mupristi mufananidzo wearitari nechimiro chayo, nemaitirwo ayo ose.
  9975. 2Ki 16:11 Zvino Uriya mupristi wakavaka aritari zvichienderana nezvose mambo Ahazi zvaakatuma kubva kuDhamasiko, mupristi Uriya wakaiita saizvozvo kusvika mambo Ahazi asvika kubva kuDhamasiko.
  9976. 2Ki 16:12 Mambo wakati adzoka Dhamasiko, mambo wakaona aritari; mambo ndokuswedera paaritari, ndokubaira pamusoro payo.
  9977. 2Ki 16:13 Zvino wakapisa chipo chake chinopiswa nechipo chake chechidyiwa, ndokudira chipo chake chechinwiwa, ndokusasa ropa rechipo chekuyananisa chaaiva nacho pamusoro pearitari.
  9978. 2Ki 16:14 Asi wakaunzawo aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha kubva pamberi peimba, kubva pakati pearitari neimba yaJehovha, ndokuiisa parutivi rwekumaodzanyemba rwearitari.
  9979. 2Ki 16:15 Zvino mambo Ahazi wakaraira Uriya mupristi, achiti: Pamusoro pearitari huru pisa chipo chinopiswa chemangwanani, nechipo chechidyiwa chemadekwani, nechipo chinopiswa chamambo, nechipo chake chechidyiwa, nechipo chinopiswa chevanhu vose venyika, nechipo chavo chechidyiwa, nezvipo zvavo zvechinwiwa; usase pamusoro payo ropa rose rechipo chinopiswa, neropa rose rechibairo; asi aritari yendarira ichava yangu yekubvunzira.
  9980. 2Ki 16:16 Mupristi Uriya ndokuita zvichienderana nezvose mambo Ahazi zvaakaraira.
  9981. 2Ki 16:17 Mambo Ahazi ndokugura mipendero yezvigadziko, ndokubvisa dhishi rekugezera pamusoro pazvo, nekuburusa gungwa pamusoro penzombe dzendarira dzaiva pasi paro, ndokuriisa pakarongerwa nemabwe.
  9982. 2Ki 16:18 Nepakafukidzwa pesabata pavaiva vakavaka muimba nesuwo ramambo kunze wakazvibvisa kubva muimba yaJehovha, nekuda kwamambo weAsiriya.
  9983. 2Ki 16:19 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAhazi dzaakaita, hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  9984. 2Ki 16:20 Zvino Ahazi wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  9985. 2Ki 17:1 Mugore regumi nemaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakava mambo muSamariya pamusoro paIsraeri, makore mapfumbamwe.
  9986. 2Ki 17:2 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha; koga kwete semadzimambo aIsraeri akavapo mberi kwake.
  9987. 2Ki 17:3 Sharimaneseri mambo weAsiriya wakakwira kurwisana naye; Hoshea ndokuva muranda wake, iye ndokuripa mutero kwaari.
  9988. 2Ki 17:4 Asi mambo weAsiriya wakawana kurongera muna Hoshea, nokuti waituma nhume kuna So mambo weEgipita, ndokusakwidza mutero kuna mambo weAsiriya sezvaaita gore rimwe nerimwe. Naizvozvo mambo weAsiriya wakamupfigira ndokumusunga mutirongo.
  9989. 2Ki 17:5 Zvino mambo weAsiriya wakakwira munyika yose, ndokukwira kuSamariya, ndokurikomba makore matatu.
  9990. 2Ki 17:6 Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiriya wakatapa Samariya, ndokutapa Israeri kuenda kuAsiriya, ndokuvagarisa muHara, nemuHabhori, rwizi rweGozani, nemaguta evaMedhi.
  9991. 2Ki 17:7 Zvino izvi zvakaitika nokuti vana vaIsraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakavakwidza kubva panyika yeEgipita akavabvisa pasi peruoko rwaFarao mambo weEgipita, uye vaitya vamwe vamwari,
  9992. 2Ki 17:8 ndokufamba muzvimiso zvendudzi Jehovha dzaaiva adzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri, nezvemadzimambo aIsraeri zvavakaita.
  9993. 2Ki 17:9 Vana vaIsraeri ndokuita pachivande zvinhu zvisina kururama kupesana naJehovha Mwari wavo, ndokuzvivakira nzvimbo dzakakwirira mumaguta avo ose, kubva pakakwirira pevarindi kusvika paguta rakashoshewa.
  9994. 2Ki 17:10 Zvino vakazvimisira shongwe dziri zvifananidzo nematanda ekunamata nawo pamusoro pechikomo chakakwirira chimwe nechimwe uye pasi pemuti munyoro upi neupi.
  9995. 2Ki 17:11 Zvino ipapo vakapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvaiita ndudzi Jehovha dzaakatungamirira kuutapwa kubva pamberi pavo; uye vakaita zvinhu zvakaipa kutsamwisa Jehovha.
  9996. 2Ki 17:12 Nokuti vakashumira zvifananidzo, Jehovha zvaakati pamusoro pazvo: Hamungaiti chinhu ichi.
  9997. 2Ki 17:13 Zvakadaro Jehovha wakapupurira Israeri naJudha neruoko rwemuporofita upi neupi, muoni upi neupi, achiti: Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu, zvimiso zvangu, zvichienderana nemurairo wose wandakaraira madzibaba enyu, newandakatumira kwamuri neruoko rwevaranda vangu vaporofita.
  9998. 2Ki 17:14 Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakaomesa mutsipa wavo, semutsipa wemadzibaba avo, vasina kutenda kuna Jehovha Mwari wavo.
  9999. 2Ki 17:15 Zvino vakaramba zvimiso zvake nesungano yake yaakaita nemadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, ndokutevera chisina maturo, ndokuva vasina maturo, ndokutevera ndudzi dzakavapoteredza, Jehovha dzaakaraira nezvadzo kuti vasaita saidzo.
  10000. 2Ki 17:16 Zvino vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, ndokuzviitira zvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa, mhuru mbiri; ndokuita matanda ekunamata nawo, ndokufugamira hondo yose yekumatenga, ndokushumira Bhaari.
  10001. 2Ki 17:17 Zvino vakapfuudza vanakomana vavo nevakunda vavo nemumoto, ndokushandisa kuuka nekuita uroyi, uye vakazvitengesa kuita chakaipa pameso paJehovha, kumutsamwisa.
  10002. 2Ki 17:18 Naizvozvo Jehovha wakatsamwira Israeri zvikuru, ndokuvabvisa kubva pachiso chake; hakuna kusara umwe kunze kwerudzi rwekwaJudha chete.
  10003. 2Ki 17:19 NaJudha haana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo; asi vakafamba muzvimiso zvaIsraeri zvavakaita.
  10004. 2Ki 17:20 Jehovha ndokuramba mbeu yose yaIsraeri, ndokuvatambudza, akavapa muruoko rwevaparadzi, kusvika avarasa kubva pachiso chake.
  10005. 2Ki 17:21 Nokuti wakabvarura Israeri kubva paimba yaDhavhidhi; ivo ndokuisa Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuti ave mambo. Jerobhoamu ndokukweva ndokutsausa Israeri pakutevera Jehovha, ndokuvaita vatadze chivi chikuru.
  10006. 2Ki 17:22 Nokuti vana vaIsraeri vakafamba muzvivi zvose zvaJerobhoamu zvaakaita; havana kutsauka kubva pazviri,
  10007. 2Ki 17:23 kusvika Jehovha abvisa Israeri kubva pachiso chake, sezvaakataura neruoko rwevaranda vake vose vaporofita. Naizvozvo Israeri vakatapwa akabviswa panyika yake akaiswa kuAsiriya kusvika zuva rino.
  10008. 2Ki 17:24 Zvino mambo weAsiriya wakauya nevanhu vaibva kuBhabhironi nekuKuta nekuAva nekuHamati neSefarivhaimi, ndokuvagarisa mumaguta eSamariya pachinzvimbo chevana vaIsraeri; ivo ndokugara nhaka yeSamariya, ndokugara mumaguta aro.
  10009. 2Ki 17:25 Zvino zvakaitika pakutanga kwavo kugaramo kuti havana kutya Jehovha; naizvozvo Jehovha wakatuma shumba pakati pavo, dzikauraya vamwe vavo.
  10010. 2Ki 17:26 Naizvozvo vakataura kuna mambo weAsiriya, vachiti: Marudzi amakabvisa ndokugarisa mumaguta eSamariya haazivi tsika dzaMwari wenyika iyo; naizvozvo wakatuma shumba pakati pawo, zvino tarirai, dzinoauraya, nokuti haazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.
  10011. 2Ki 17:27 Zvino mambo weAsiriya wakaraira, achiti: Endesaiko umwe wevapristi vamakatapa kubvako, zvino vaende ndokunogarako, uye ngaavadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.
  10012. 2Ki 17:28 Naizvozvo umwe wevapristi vavaiva vatapa kubva paSamariya wakauya ndokugara paBheteri, ndokuvadzidzisa kuti vangatya sei Jehovha.
  10013. 2Ki 17:29 Kunyange zvakadaro rudzi rumwe nerumwe rwakaita vamwari varwo, ndokuvaisa mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira vaSamariya dzavaiva vaita, rudzi rumwe nerumwe pamaguta arwo arwunogarapo.
  10014. 2Ki 17:30 Zvino vanhu veBhabhironi vakagadzira Sukoti-Bhenoti; vanhu veKuti ndokugadzira Nerigari; vanhu veHamati ndokugadzira Ashima;
  10015. 2Ki 17:31 zvino VaAvhi vakagadzira Nibhazi neTaritaki; VaSefarivhaimi ndokupisa vana vavo mumoto kuitira Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefarivhaimi.
  10016. 2Ki 17:32 Zvino vakatya Jehovha, ndokuzviitira vapristi venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vepasi-pasi vavo, vaivashandira mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira.
  10017. 2Ki 17:33 Vakatya Jehovha, ndokushumira vamwari vavo, setsika yendudzi dzaiva dzavatapa vachibvapo.
  10018. 2Ki 17:34 Kusvika zuva rino vanoita zvinoenderana netsika dzekutanga: Havatyi Jehovha, uye havaiti zvinoenderana nezvimiso zvavo kana zvinoenderana nezviga zvavo kana zvinoenderana nemutemo kana zvinoenderana nemurairo Jehovha waakaraira vana vaJakove, iye waakatumidza kuti Israeri,
  10019. 2Ki 17:35 Jehovha waakaita navo sungano, ndokuvaraira, achiti: Hamungatyi vamwe vamwari, uye hamungavafugamiri, uye hamungavashumiri, uye hamungavabairi.
  10020. 2Ki 17:36 Asi Jehovha, wakakukwidzai kubva munyika yeEgipita nesimba guru, uye nechanza chakatandavadzwa, iye muchamutya, uye mukotamire kwaari, uye mubaire kwaari.
  10021. 2Ki 17:37 Zvino zvimiso, nezviga, nemutemo, nemurairo, zvaakakunyorerai, muchachenjerera kuzviita mazuva ese; uye musatya vamwe vamwari.
  10022. 2Ki 17:38 Uye sungano yandakaita nemwi musakanganwa; uye musatya vamwe vamwari.
  10023. 2Ki 17:39 Asi muchatya Jehovha Mwari wenyu. Zvino iye achakusunungurai muruoko rwevavengi venyu vose.
  10024. 2Ki 17:40 Zvakadaro havana kuteerera, asi vakaita zvinoenderana netsika yavo yepakutanga.
  10025. 2Ki 17:41 Zvino ndudzi idzi dzakatya Jehovha, uye dzikashumira zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; vose vana vavo nevana vevana vavo; madzibaba avo sezvaakaita vanoita izvozvo kusvika nhasi.
  10026. 2Ki 18:1 Zvino zvakaitika mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakava mambo.
  10027. 2Ki 18:2 Waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; uye akatonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Abi mukunda waZekariya.
  10028. 2Ki 18:3 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, zvichienderana nezvose Dhavhidhi baba vake zvavakaita.
  10029. 2Ki 18:4 Iye wakabvisa nzvimbo dzakakwirira, ndokuputsa shongwe dziri zvifananidzo, ndokutema matanda ekunamata nawo; ndokupwanya nyoka yendarira Mozisi yaaiva aita; nokuti kusvika pamazuva awa vana vaIsraeri vaiipisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira; akaitumidza Nehushitani.
  10030. 2Ki 18:5 Wakavimba muna Jehovha Mwari waIsraeri zvekuti hakuna shure kwake wakaita saiye pakati pemadzimambo ose aJudha, kana kune vakamutangira.
  10031. 2Ki 18:6 Nokuti wakanamatira kuna Jehovha; akasabva pakumutevera; wakachengeta mirairo yake, Jehovha yaakaraira Mozisi.
  10032. 2Ki 18:7 Zvino Jehovha wakava naye; kupi nekupi kwaakabudira, wakabudirira. Zvino wakamukira mambo weAsiriya, ndokusamushumira.
  10033. 2Ki 18:8 Iye wakarova vaFirisitia kusvika paGaza nemiganhu yaro, kubva pashongwe yevarindi kusvika paguta rakashoshewa.
  10034. 2Ki 18:9 Zvino zvakaitika mugore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsraeri, kuti Sharimaneseri mambo weAsiriya wakakwira kurwisa Samariya, ndokurikomba.
  10035. 2Ki 18:10 Zvino vakaritapa pakupera kwemakore matatu; mugore retanhatu raHezekia, rinova gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsraeri, Samariya rakatapwa.
  10036. 2Ki 18:11 Zvino mambo weAsiriya wakatapira Israeri kuAsiriya, ndokuvaisa paHara nepaHabhori, rwizi rweGozani, nemumaguta evaMedhi.
  10037. 2Ki 18:12 Nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, zvose Mozisi muranda waJehovha zvaakaraira, havana kuteerera, havana kuita.
  10038. 2Ki 18:13 Zvino mugore regumi nemana ramambo Hezekia, Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakakwira kurwisa maguta ose akashoshewa aJudha, ndokuatapa.
  10039. 2Ki 18:14 Zvino Hezekia mambo weJudha wakatuma kuna mambo weAsiriya paRakishi, achiti: Ndatadza, dzokera ubve kwandiri; zvaunoisa pamusoro pangu ndichazvitakura. Zvino mambo weAsiriya wakaisa pamusoro paHezekia mambo weJudha matarenda mazana matatu esirivha nematarenda makumi matatu egoridhe.
  10040. 2Ki 18:15 Zvino Hezekia wakapa sirivha yose yakawanikwa mumba maJehovha, nepafuma yeimba yamambo.
  10041. 2Ki 18:16 Panguva iyo Hezekia wakagura goridhe pamikova yetembere yaJehovha, nepambiru Hezekia mambo waJudha dzaaiva afukidza, ndokuripa kuna mambo weAsiriya.
  10042. 2Ki 18:17 Zvino mambo weAsiriya wakatuma Taritani naRabhi-Sarisi naRabhi-Shake kubva kuRakishi kuenda kuna mambo Hezekia nehondo inorema paJerusarema. Zvino vakakwira ndokusvika paJerusarema. Vakati vakwira, vakasvika ndokumira pamugero wedziva rekumusoro, riri panzira huru yemunda wemusuki.
  10043. 2Ki 18:18 Vakati vadana mambo, kwakabudira kwavari Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo.
  10044. 2Ki 18:19 Zvino Rabhi-Shake wakati kwavari: Taurai ikozvino kuna Hezekia: Ndizvo zvinoreva mambo mukuru, mambo weAsiriya: Chivimboi ichi chaunovimba nacho?
  10045. 2Ki 18:20 Iwe unoti, asi ishoko remiromo: Kune zano nesimba rehondo. Ikozvino unovimba nani kuti undimukire?
  10046. 2Ki 18:21 Zvino tarira, iwe unovimba nemudonzvo werutsanga rwakapwanyika urwu, paEgipita, kana munhu akasendama parwuri, rwuchapinda muruoko rwake, ndokurwubaya; wakadaro Farao mambo weEgipita kune vose vanovimba naye.
  10047. 2Ki 18:22 Asi kana ukati kwandiri: Tinovimba naJehovha Mwari wedu; haasi iye ane nzvimbo dzakakwirira nedziaritari dzake Hezekia zvaakabvisa, ndokuti kuna Judha nekuna Jerusarema: Pamberi pearitari iyi muchanamata paJerusarema?
  10048. 2Ki 18:23 Naizvozvo zvino, ipa hako chibatiso kuna tenzi wangu mambo weAsiriya, zvino ndichakupa mabhiza zvuru zviviri, kana iwe uchigona kupa vatasvi pamusoro pawo.
  10049. 2Ki 18:24 Zvino uchadzosera sei chiso chemutungamiriri umwe wevadiki vevaranda vatenzi vangu? Asi iwe ugovimba naEgipita pangoro nepavatasvi vemabhiza.
  10050. 2Ki 18:25 Ikozvino ndingakwira here ndisina Jehovha kurwisana nenzvimbo iyi ndiiparadze? Jehovha wakati kwandiri: Kwira urwise nyika iyi, uiparadze.
  10051. 2Ki 18:26 Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikiya, naShebhina, naJoa vakati kuna Rabhi-Shake: Taurai henyu kuvaranda venyu chiAramiya, nokuti tinochinzwa; uye musataura nesu chiJudha munzeve dzevanhu vari parusvingo.
  10052. 2Ki 18:27 Asi Rabhi-Shake wakati kwavari: Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nekwauri here, kutaura mashoko awa? Hakusi kuvanhu vagere pamusoro perusvingo kuti vadye ndove yavo, nekunwa weti yavo pamwe nemwi here?
  10053. 2Ki 18:28 Zvino Rabhi-Shake wakamira, ndokudanidzira nenzwi guru nechiJudha, ndokutaura achiti: Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiriya.
  10054. 2Ki 18:29 Ndizvo zvinoreva mambo: Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukusunungurai kubva muruoko rwake.
  10055. 2Ki 18:30 Uye Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti: Jehovha achatisunungura zvekusunungura, uye guta iri haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.
  10056. 2Ki 18:31 Musateerera kuna Hezekia; nokuti ndizvo zvinoreva mambo weAsiriya: Tsvakai nyasha kwandiri nechipo, mugobudira kwandiri, mugodya umwe neumwe muzambiringa wake, uye umwe neumwe muonde wake, nekunwa umwe neumwe mvura yetsime rake;
  10057. 2Ki 18:32 kusvika ndasvika ndakubvisirai kunyika yakafanana nenyika yekwenyu, nyika yezviyo newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemafuta emiorivhi neyeuchi, kuti murarame, uye murege kufa; zvino regai kuteerera Hezekia, nokuti anokugombedzerai achiti: Jehovha achatisunungura.
  10058. 2Ki 18:33 Vamwari vendudzi vakambosunungura umwe neumwe nyika yake muruoko rwamambo weAsiriya here?
  10059. 2Ki 18:34 Varipi vamwari veHamati neveAripadhi? Varipi vamwari veSefarivhaimi, Hena, neIvha? Zvirokwazvo vakasunungura Samariya paruoko rwangu here?
  10060. 2Ki 18:35 Ndivana ani pakati pavamwari vose vedzinyika vakasunungura nyika yavo paruoko rwangu, kuti Jehovha achasunungura Jerusarema paruoko rwangu?
  10061. 2Ki 18:36 Asi vanhu vakanyarara, uye havana kumupindura shoko; nokuti murairo wamambo waiti: Musamupindura.
  10062. 2Ki 18:37 Zvino kwakauya Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, kuna Hezekia, vane nguvo dzakabvarurwa, ndokumuudza mashoko aRabhi-Shake.
  10063. 2Ki 19:1 Zvino zvakaitika pakunzwa kwamambo Hezekia, kuti wakabvarura nguvo dzake, ndokuzvifukidza saga, ndokupinda muimba yaJehovha.
  10064. 2Ki 19:2 Zvino wakatuma Eriakimu waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, nevakuru vevapristi, vakazvifukidza masaga, kuna Isaya muporofita mwanakomana waAmozi.
  10065. 2Ki 19:3 Zvino vakati kwaari: Anoreva seizvi Hezekia: Zuva rino izuva redambudziko nerekusvorwa nekunyomba, nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi kusina simba rekuzvara.
  10066. 2Ki 19:4 Zvimwe Jehovha Mwari wako achanzwa mashoko ose aRabhi-Shake, mambo weAsiriya tenzi wake waakatuma kuzvidza Mwari mupenyu, nekumhura pamashoko Jehovha Mwari wako aakanzwa; naizvozvo simudzirai vakasara vanowanikwa munyengetero.
  10067. 2Ki 19:5 Zvino varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
  10068. 2Ki 19:6 Isaya ndokuti kwavari: Muchareva seizvi kuna tenzi wenyu: Anoreva seizvi Jehovha: Usatya nekuda kwemashoko awakanzwa, varanda vamambo weAsiriya avakandimhura nawo.
  10069. 2Ki 19:7 Tarira, ndichaisa mweya maari, uye achanzwa runyerekupe, uye achadzokera kunyika yake; uye ndichamuwisisa nemunondo munyika yake.
  10070. 2Ki 19:8 Zvino Rabhi-Shake wakadzokera, ndokuwana mambo weAsiriya achirwa neRibhina; nokuti waiva anzwa kuti wabva paRakishi.
  10071. 2Ki 19:9 Wakati achinzwa zvaTirihaka mambo weItiyopiya, zvichinzi: Tarirai, wabuda kuzorwa newe; zvino wakatendeuka ndokutuma nhume kuna Hezekia, achiti:
  10072. 2Ki 19:10 Uchataura seizvi kuna Hezekia mambo waJudha uchiti: Mwari wako waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti: Jerusarema haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.
  10073. 2Ki 19:11 Tarira, iwe wakanzwa madzimambo eAsiriya zvaakaitira kunyika dzose, kudziparadza; zvino iwe uchasunungurwa here?
  10074. 2Ki 19:12 Vamwari vendudzi vakasunungura here avo madzibaba angu avakaparadza: Gozani, naHarani, naRezefi, nevana vaEdheni vaiva paTerasari?
  10075. 2Ki 19:13 Aripi mambo weHamati, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, Hena, neIvha?
  10076. 2Ki 19:14 Zvino Hezekia wakagamuchira tsamba muruoko rwenhume, ndokuiverenga. Hezekia ndokukwira kuimba yaJehovha, ndokuiwaridza pamberi paJehovha.
  10077. 2Ki 19:15 Zvino Hezekia wakanyengetera pamberi paJehovha ndokuti: Jehovha Mwari waIsraeri, agere pakati pemakerubhi! Imwi muri Mwari, imwi mega, weushe hwose hwenyika; imwi makaita matenga nenyika.
  10078. 2Ki 19:16 Jehovha, rerekerai nzeve yenyu mugonzwa; vhurai meso enyu, Jehovha, muone, munzwe mashoko aSeni-Akeribhi, aakamutuma nawo kuzozvidza Mwari mupenyu.
  10079. 2Ki 19:17 Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiriya akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,
  10080. 2Ki 19:18 ndokukandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vaiva vasiri vamwari, asi basa remaoko emunhu, danda neibwe; naizvozvo vakavaparadza.
  10081. 2Ki 19:19 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari wedu, tiponesei henyu kubva paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti imwi muri Jehovha Mwari, imwi mega.
  10082. 2Ki 19:20 Zvino Isaya mwanakomana waAmozi wakatuma kuna Hezekia achiti: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Zvawanyengetera kwandiri maererano naSeni-Akeribhi mambo weAsiriya ndakunzwa.
  10083. 2Ki 19:21 Iri ishoko Jehovha raataura maererano naye: Mhandara, mukunda weZiyoni, anokuzvidza, anokusveveredza; mukunda weJerusarema wakadzungudza musoro shure kwako.
  10084. 2Ki 19:22 Ndiani wawakatuka nekunyomba? Uye wakasimudzira ani inzwi, wakasimudzira meso ako kumusoro? Kurwisa Mutsvene waIsraeri.
  10085. 2Ki 19:23 Neruoko rwenhume dzako wakatuka Ishe, ndokuti: Neuwandu hwedzingoro dzangu ini ndakakwira pakakwirira pemakomo, kumativi eRebhanoni. Zvino ndichatema misidhari yaro mirefu, miti yemisipiresi yakasarudzwa yaro, uye ndichapinda panzvimbo yekugara yemucheto wayo, sango raro dema.
  10086. 2Ki 19:24 Ini ndakachera ndikanwa mvura yeutorwa, uye nepasi petsoka dzangu ndakapwisa nzizi dzose dzenzvimbo dzakashoshewa.
  10087. 2Ki 19:25 Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, panguva dzekare, kuti ndakazviumba? Ikozvino ndaita zviitike, kuti ungava wekuparadza maguta akashoshewa, ave matutu ematongo.
  10088. 2Ki 19:26 Naizvozvo vagari vawo vaiva neruoko rupfupi, vakatya, ndokunyara, vaiva seuswa hwesango, nemuriwo munyoro, uswa hwematenga edzimba, nezviyo zvakatsva zvisati zvakura.
  10089. 2Ki 19:27 Asi ndinoziva kugara kwako, nekubuda kwako, nekupinda kwako, uye kunditsamwira kwako.
  10090. 2Ki 19:28 Nekuda kwekunditsamwira kwako, uye kuti ruzha rwako rwakakwira munzeve dzangu, ndichaisa haka yangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
  10091. 2Ki 19:29 Zvino ichi chichava chiratidzo kwauri: Uchadya gore rino zvinozvimerera, uye mugore rechipiri zvinotunga kubva pazviri; asi negore rechitatu dzvarai, mugokohwa, mudzvare minda yemizambiringa, mudye zvibereko zvayo.
  10092. 2Ki 19:30 Zvino zvakapukunyuka zveimba yaJudha zvakasara zvichatsirazve midzi pasi, zvibereke zvibereko kumusoro.
  10093. 2Ki 19:31 Nokuti muJerusarema muchabuda zvakasara, nezvakapukunyuka pagomo reZiyoni. Kushingaira kwaJehovha kuchaita izvi.
  10094. 2Ki 19:32 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano namambo weAsiriya: Haangapindi muguta iri, uye haangapfuri musevemo, uye haangauyi pamberi paro nenhovo, uye haangatutiri gomo revhu pakatarisana naro.
  10095. 2Ki 19:33 Nenzira yaakauya nayo, achadzokazve naiyoyo, uye haangapindi muguta rino, anoreva Jehovha.
  10096. 2Ki 19:34 Nokuti ndichadzivirira guta rino kuriponesa nekuda kwangu uye nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu.
  10097. 2Ki 19:35 Zvino zvakaitika usiku ihwohwo, kuti mutumwa waJehovha wakabuda ndokurova pamusasa wevaAsiriya zvuru zana nemakumi masere nezvishanu; pavakamuka mangwanani-ngwanani, zvino tarira, vose vava zvitunha zvakafa.
  10098. 2Ki 19:36 Naizvozvo Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakabva, ndokuenda, ndokudzokera, ndokugara muNinivhe.
  10099. 2Ki 19:37 Zvino zvakaitika paaishumira muimba yaNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezari vanakomana vake vakamurova nemunondo, ivo ndokupukunyukira kunyika yeArarati. Esari-Hadhoni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  10100. 2Ki 20:1 Mumazuva iwawo Hezekia wakarwarira kufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi ndokusvika kwaari, ndokuti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Raira imba yako, nokuti uchafa, uye haungararami.
  10101. 2Ki 20:2 Zvino wakatendeusira chiso chake kumadziro, ndokunyengetera kuna Jehovha, achiti:
  10102. 2Ki 20:3 Ndinokukumbirisai, Jehovha, dorangarirai kuti ndakafamba pamberi penyu muchokwadi uye nemoyo wakaperera, uye ndakaita zvakanaka pameso penyu. Hezekia ndokuchema nekuchema kukuru.
  10103. 2Ki 20:4 Zvino zvakaitika Isaya asati abuda pachivanze chepakati, shoko raJehovha ndokuuya kwaari richiti:
  10104. 2Ki 20:5 Dzoka, ugoti kuna Hezekia, mutungamiriri wevanhu vangu: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waDhavhidhi baba vako: Ndanzwa munyengetero wako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.
  10105. 2Ki 20:6 Zvino ndichawedzera pamazuva ako makore gumi nemashanu; uye ndichakusunungura iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiriya, uye ndichadzivirira guta rino nekuda kwangu uye nekuda kwemuranda wangu Dhavhidhi.
  10106. 2Ki 20:7 Zvino Isaya wakati: Torai sumbu remaonde. Ivo ndokutora ndokuisa pamusoro pemota, iye ndokupora.
  10107. 2Ki 20:8 Zvino Hezekia wakati kuna Isaya: Chiratidzo chichava chii kuti Jehovha achandiporesa, uye kuti ndichakwira kuimba yaJehovha zuva rechitatu?
  10108. 2Ki 20:9 Isaya ndokuti: Ichi chiratidzo kwauri chinobva kuna Jehovha, kuti Jehovha achaita chinhu chaataura: Mumvuri uchapfuurira mberi nhanho gumi, kana uchadzokera shure nhanho gumi here?
  10109. 2Ki 20:10 Hezekia ndokuti: Zvakareruka kuti mumvuri uredzve nhanho gumi; kwete, asi mumvuri ngaudzokere shure nhanho gumi.
  10110. 2Ki 20:11 Zvino Isaya muporofita wakachema kuna Jehovha; iye ndokudzosera mumvuri shure panhanho dzawaiva waburuka nadzo pachiringazuva chenhanho chaAhazi, nhanho gumi.
  10111. 2Ki 20:12 Panguva iyo Bherodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi wakatuma dzitsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti waiva anzwa kuti Hezekia wairwara.
  10112. 2Ki 20:13 Zvino Hezekia wakavateerera, ndokuvaratidza imba yake yose yezvinokosha, sirivha, negoridhe, nezvinonhuhwira, nemafuta anokosha, neimba yezvombo zvake, nezvose zvakawanikwa pafuma yake; kwaiva kusina chinhu muimba yake kana muushe hwake hwose Hezekia zvaasina kuvaratidza.
  10113. 2Ki 20:14 Zvino kwakauya Isaya muporofita kuna mambo Hezekia, ndokuti kwaari: Varume ava vati kudii? Uye vasvika kwauri vachibvepi? Hezekia ndokuti: Vabva kunyika iri kure, vachibva kuBhabhironi.
  10114. 2Ki 20:15 Iye ndokuti: Vaonei muimba yako? Hezekia ndokuti: Vaona zvose zviri muimba yangu; hapana chinhu chandisina kuvaratidza pakati pezvakakosha zvangu.
  10115. 2Ki 20:16 Isaya ndokuti kuna Hezekia: Inzwa shoko raJehovha.
  10116. 2Ki 20:17 Tarira, mazuva achauya, apo zvose zviri muimba yako uye izvo madzibaba ako zvaakakuchengetera kusvika zuva rino zvichatakurirwa kuBhabhironi; hakuna chichasiiwa, anoreva Jehovha.
  10117. 2Ki 20:18 Zvino vachatora pavanakomana vako, vachabuda mauri, vauchabereka, kuti vachava vatenwa mumuzinda wamambo weBhabhironi.
  10118. 2Ki 20:19 Hezekia ndokuti kuna Isaya: Rakanaka shoko raJehovha ramataura. Akatiwo: Handizvo here, kana kuchava nerugare nechokwadi pamazuva angu?
  10119. 2Ki 20:20 Zvino dzimwe dzenyaya dzaHezekia, nesimba rake rose, uye kuti wakaita dziva nemugero, ndokupinza mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  10120. 2Ki 20:21 Hezekia ndokurara nemadzibaba ake; Manase mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10121. 2Ki 21:1 Manase waiva nemakore gumi nemaviri paakava mambo; zvino wakatonga makore makumi mashanu nemashanu paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Hefizi-Bha.
  10122. 2Ki 21:2 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha, zvichienderana nezvinyangadzo zvemarudzi Jehovha aakadzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.
  10123. 2Ki 21:3 Nokuti wakavakazve nzvimbo dzakakwirira Hezekia baba vake dzaaiva aparadza; ndokumisira Bhaari dziaritari, ndokuita danda rekunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsraeri; ndokunamata hondo yose yekumatenga, ndokuzvishumira.
  10124. 2Ki 21:4 Zvino wakavaka dziaritari muimba yaJehovha, Jehovha yaakati pamusoro payo: PaJerusarema ndichaisa zita rangu.
  10125. 2Ki 21:5 Zvino wakavakira hondo yose yekumatenga dziaritari muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.
  10126. 2Ki 21:6 Zvino wakapfuudza mwanakomana wake nemumoto, ndokuteverera zvekushopera, ndokuita mazango, ndokushanda nemasvikiro nevavuki; ndokuita zvakaipa zvikuru pameso aJehovha, kumutsamwisa.
  10127. 2Ki 21:7 Zvino wakamisa chifananidzo chakavezwa chedanda rekunamata naro chaaiva aita muimba Jehovha yaakati kuna Dhavhidhi nekuna Soromoni mwanakomana wake: Ndichaisa zita rangu kusvika rinhi narinhi paimba ino nepaJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri.
  10128. 2Ki 21:8 Handichazofambisi-fambisi tsoka yaIsraeri kubuda munyika yandakapa madzibaba avo; koga kana vachichenjerera kuita zvinoenderana nezvose zvandakavaraira, uye zvinoenderana nemurairo wose Mozisi muranda wangu waakavaraira.
  10129. 2Ki 21:9 Asi havana kuteerera; Manase ndokuvatsausa kuti vaite zvakaipa kupfuura marudzi Jehovha aakaparadza pamberi pevana vaIsraeri.
  10130. 2Ki 21:10 Zvino Jehovha wakataura neruoko rwevaranda vake vaporofita, achiti:
  10131. 2Ki 21:11 Nekuda kwekuti Manase mambo waJudha wakaita zvinyangadzo izvi, wakaita zvakaipa kupfuura zvose vaAmori zvavakaita, ivo vakamutangira, ndokutadzisawo Judha nezvifananidzo zvake:
  10132. 2Ki 21:12 Naizvozvo ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Tarirai, ndinouisa chakaipa pamusoro peJerusarema naJudha, kuti wose anozvinzwa, nzeve dzake mbiri dzichaunga.
  10133. 2Ki 21:13 Zvino ndichatandavadzira pamusoro peJerusarema rwonzi rweSamariya, uye rwonzi rwekuyera rweimba yaAhabhi. Zvino ndichapusika Jerusarema seanopusika ndiro, anoipusika akaitsindikira.
  10134. 2Ki 21:14 Zvino ndichasiya musiiwa wenhaka yangu, ndigovapa muruoko rwevavengi vavo; uye vachava chakajimbiwa nechakapambiwa kuvavengi vavo vose.
  10135. 2Ki 21:15 Nekuda kwekuti vakaita chakaipa pameso pangu, uye vanonditsamwisa, kubva pazuva iro madzibaba avo ravakabuda muEgipita kusvika zuva rino.
  10136. 2Ki 21:16 Uyewo Manase wakateura ropa rakawanda kwazvo risina mhosva, kusvika azadza Jerusarema kumucheto kusvika kumucheto; pasingaverengwi chivi chake chaakatadzisa Judha, kuita chakaipa pameso aJehovha.
  10137. 2Ki 21:17 Zvino dzimwe dzenyaya dzaManase, nezvose zvaakaita, nechivi chake chaakatadza, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  10138. 2Ki 21:18 Zvino Manase wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa mubindu reimba yake, mubindu raUza. Amoni mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10139. 2Ki 21:19 Amoni waiva nemakore makumi maviri nemaviri paakava mambo, ndokutonga paJerusarema makore maviri; uye zita ramai vake raiva Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.
  10140. 2Ki 21:20 Zvino wakaita chakaipa pameso aJehovha, sezvakaita baba vake Manase.
  10141. 2Ki 21:21 Zvino wakafamba nenzira yose baba vake yavakafamba mairi, ndokushumira zvifananidzo baba vake zvavakashumira, ndokuzvinamata.
  10142. 2Ki 21:22 Ndokusiya Jehovha Mwari wemadzibaba ake, uye haana kufamba nenzira yaJehovha.
  10143. 2Ki 21:23 Zvino varanda vaAmoni vakamurongera, ndokuuraya mambo muimba yake.
  10144. 2Ki 21:24 Asi vanhu venyika iyo vakarova vose vakarongera mambo Amoni; vanhu venyika iyo ndokutongesa mwanakomana wake Josiya pachinzvimbo chake.
  10145. 2Ki 21:25 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAmoni dzaakaita, hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  10146. 2Ki 21:26 Zvino akamuviga muguva rake mubindu raUza. Josiya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10147. 2Ki 22:1 Josiya waiva nemakore masere paakava mambo, ndokutonga makore makumi matatu nerimwe paJerusarema; zita ramai vake raiva Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati.
  10148. 2Ki 22:2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, ndokufamba munzira yose yaDhavhidhi baba vake, uye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
  10149. 2Ki 22:3 Zvino zvakaitika mugore regumi nemasere ramambo Josiya, mambo wakatuma Shafani mwanakomana waAzariya, mwanakomana waMeshurami, munyori, kuimba yaJehovha, achiti:
  10150. 2Ki 22:4 Kwira kuna Hirikiya mupristi mukuru, kuti abatanidze mari inoiswa muimba yaJehovha, vachengeti vemukova yavakaunganidza kuvanhu.
  10151. 2Ki 22:5 Ngavaipe muruoko rwevaiti vebasa, vakaiswa vatariri veimba yaJehovha; ngavaipe kuvaiti vebasa riri muimba yaJehovha, kugadzira maburi eimba;
  10152. 2Ki 22:6 kuvavezi, nevavaki, nekuvavezi vemabwe, nekutenga mapuranga nemabwe akavezwa kugadzira imba.
  10153. 2Ki 22:7 Asi hakuna kuverengerwa kwavari mari yaiva yapiwa muruoko rwavo, nokuti vakaita nekuvimbika.
  10154. 2Ki 22:8 Zvino Hirikiya mupristi mukuru wakati kuna Shafani munyori: Ndawana bhuku remurairo muimba yaJehovha. Hirikiya ndokupa Shafani bhuku; iye ndokuriverenga.
  10155. 2Ki 22:9 Zvino Shafani munyori wakasvika kuna mambo, ndokudzosa shoko kuna mambo, ndokuti: Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa muimba, ndokuipa muruoko rwevaiti vebasa, vakamiswa kuva vatariri veimba yaJehovha.
  10156. 2Ki 22:10 Shafani munyori ndokupira kuna mambo achiti: Mupristi Hirikiya wandipa bhuku. Shafani ndokuriverenga pamberi pamambo.
  10157. 2Ki 22:11 Zvino zvakaitika mambo paakanzwa mashoko ebhuku remurairo kuti wakabvarura nguvo dzake.
  10158. 2Ki 22:12 Zvino mambo wakaraira Hirikiya mupristi, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, achiti:
  10159. 2Ki 22:13 Endai munondibvunzira kuna Jehovha ini nevanhu naJudha wose, maererano nemashoko ebhuku iri rawanikwa; nokuti kukuru kutsamwa kwaJehovha kwaakatipfutidzira, nokuti madzibaba edu haana kuteerera mashoko ebhuku iri, kuita zvinoenderana nezvose zvakanyorwa maererano nesu.
  10160. 2Ki 22:14 Naizvozvo Hirikiya mupristi, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi, mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguvo. Iye mukadzi waigara paJerusarema padunhu rechipiri. Zvino vakataura naye.
  10161. 2Ki 22:15 Zvino wakati kwavari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Udzai murume wakutumai kwandiri muti:
  10162. 2Ki 22:16 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarirai, ndichauisa chakaipa pamusoro penzvimbo ino, nepamusoro pevagari vayo, mashoko ose ebhuku mambo waJudha raakaverenga.
  10163. 2Ki 22:17 Nokuti vakandisiya, ndokupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira vamwe vamwari, kuti vanditsamwise nebasa rose remaoko avo, naizvozvo hasha dzangu dzichapfutira nzvimbo ino, uye kusadzimwa.
  10164. 2Ki 22:18 Asi kuna mambo waJudha wakutumai kubvunza kuna Jehovha, mureve seizvi kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Zvemashoko awakanzwa:
  10165. 2Ki 22:19 Nokuti moyo wako waiva munyoro, uye wakazvininipisa pamberi paJehovha, pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, nepamusoro pevagari vayo, kuti vachava dongo nechakatukwa, ndokubvarura nguvo dzako, ndokuchema pamberi pangu, iniwo ndanzwa, ndizvo zvinoreva Jehovha.
  10166. 2Ki 22:20 Naizvozvo, tarira, ndichakuunganidza kumadzibaba ako, uye uchaunganidzwa muguva rako nerugare, uye meso ako haangaoni chakaipa chipi nechipi chandichauisa pamusoro penzvimbo iyi. Zvino vakadzoka neshoko kuna mambo.
  10167. 2Ki 23:1 Zvino mambo wakatuma, ivo ndokuunganidza kwaari vakuru vose vekwaJudha neveJerusarema.
  10168. 2Ki 23:2 Mambo ndokukwira kuimba yaJehovha, nevarume vose vaJudha, nevagari vose veJerusarema pamwe naye, nevapristi, nevaporofita, nevanhu vose, kubva kumudiki kusvika kumukuru; iye ndokuverenga munzeve dzavo mashoko ose ebhuku resungano rakawanikwa muimba yaJehovha.
  10169. 2Ki 23:3 Zvino mambo wakamira pambiru, ndokuita sungano pamberi paJehovha, kufamba shure kwaJehovha, nekuchengeta mirairo yake nezvipupuro zvake nezvimiso zvake, nemoyo wose nemweya weupenyu wose, kusimbisa mashoko esungano iyi, aiva akanyorwa mubhuku iri; vanhu vose ndokumira pasungano.
  10170. 2Ki 23:4 Mambo ndokuraira Hirikiya mupristi mukuru, nevapristi vechipiri paukuru, nevatariri vemukova, kuti vabudise kubva mutembere yaJehovha midziyo yose yaiva yaitirwa Bhaari nematanda ekunamata nawo nehondo yose yekumatenga, ndokuipisira kunze kweJerusarema muminda yeKidhironi, ndokutakurira madota ayo paBheteri.
  10171. 2Ki 23:5 Zvino wakabvisa vapristi vezvifananidzo madzimambo aJudha aaiva aisa kuti vapise zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, neavo vaipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Bhaari, kuzuva, nekumwedzi, nekunyeredzi, nekuhondo yose yekumatenga.
  10172. 2Ki 23:6 Wakabudisawo danda rekunamata naro muimba yaJehovha kunze kweJerusarema kurukova rwaKidhironi, ndokuripisa parukova rweKidhironi, ndokurikuya kuita upfu, ndokukanda upfu hwaro pamakuva evana vevanhu.
  10173. 2Ki 23:7 Zvino wakaputsa dzimba dzengochani, dzaiva dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira edanda rekunamata naro.
  10174. 2Ki 23:8 Zvino wakabudisa vapristi vose mumaguta aJudha, ndokusvibisa nzvimbo dzakakwirira, paipisira vapristi zvipfungaidzo zvinonhuhwira, kubva paGebha kusvika paBheeri-Shebha; ndokuputsa nzvimbo dzakakwirira dzemasuwo panopindwa napo pesuwo raJoshua mubati weguta, dzaiva kuruboshwe rwemunhu pasuwo reguta.
  10175. 2Ki 23:9 Kunyange zvakadaro vapristi venzvimbo dzakakwirira havana kukwira kuaritari yaJehovha paJerusarema, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.
  10176. 2Ki 23:10 Zvino wakasvibisa Tofeti riri pamupata wemwanakomana waHinomi, kuti pasava nemunhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto kuna Moreki.
  10177. 2Ki 23:11 Zvino wakabvisa mabhiza madzimambo aJudha aaiva apa kuzuva panopindwa napo muimba yaJehovha, pakamuri raNatani-Mereki mutenwa raiva mumaberere, ndokupisa nemoto ngoro dzezuva.
  10178. 2Ki 23:12 Zvino aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yepamusoro yaAhazi madzimambo aJudha dzaaiva aita, nearitari Manase dzaaiva aita pazvivanze zviviri zveimba yaJehovha, mambo wakaputsa, ndokupwanya kubvapo, ndokukanda guruva radzo murukova Kidhironi.
  10179. 2Ki 23:13 Nenzvimbo dzakakwirira dzaiva mberi kweJerusarema, dzaiva kurudyi rwegomo rekuora, Soromoni mambo waIsraeri dzaaiva avakira Ashitoreti, chinyangadzo chevaSidhoni, naKemoshi, chinyangadzo chaMoabhu, naMirikomi chinyangadzo chevana vaAmoni, mambo wakasvibisa.
  10180. 2Ki 23:14 Zvino wakaputsanya shongwe dziri zvifananidzo, ndokutema matanda ekunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo nemapfupa evanhu.
  10181. 2Ki 23:15 Uyewo aritari yaiva paBheteri, nenzvimbo yakakwirira Jerobhoamu mwanakomana waNebhati wakatadzisa Israeri yaaiva aita, zviri zviviri aritari iyo nenzvimbo yakakwirira wakazviputsa, ndokupisa nzvimbo yakakwirira, akaikuya kuita guruva, ndokupisa danda rekunamata naro.
  10182. 2Ki 23:16 Josiya paakacheuka, wakaona makuva aivapo mugomo, ndokutuma ndokutora mapfupa kubva mumakuva, ndokupisa paaritari iyo, ndokuisvibisa, zvichienderana neshoko raJehovha munhu waMwari raakaparidza, iye wakaparidza zvinhu izvi.
  10183. 2Ki 23:17 Zvino wakati: Chiratidzoi chiya chandinoona? Vanhu veguta ndokuti kwaari: Iguva remunhu waMwari, wakabva kwaJudha, ndokuparidza zvinhu izvo zvamaita kurwisa aritari yeBheteri.
  10184. 2Ki 23:18 Iye ndokuti: Muregei; kusava nemunhu anovhiringidza mapfupa ake. Zvino vakanunura mapfupa ake asina kuvhiringidzwa pamwe nemapfupa emuporofita waiva abva kuSamariya.
  10185. 2Ki 23:19 Uyewo dzimba dzose dzenzvimbo dzakakwirira dziri mumaguta eSamariya, madzimambo aIsraeri dzaaiva aita kutsamwisa Jehovha, Josiya wakabvisa, ndokudziitira zvichienderana nemabasa ose aakaita paBheteri.
  10186. 2Ki 23:20 Zvino wakauraya vapristi vose venzvimbo dzakakwirira vaivapo pamusoro pedziaritari, ndokupisa mapfupa evanhu pamusoro padzo, ndokudzokera kuJerusarema.
  10187. 2Ki 23:21 Zvino mambo wakaraira vanhu vose achiti: Chengetedzerai Jehovha Mwari wenyu pasika, sezvakanyorwa mubhuku iri resungano.
  10188. 2Ki 23:22 Zvirokwazvo kwaiva kusina kuchengetedzwa yakaita seiyi pasika kubva pamazuva evatongi vaitonga Israeri, kana pamazuva ose emadzimambo aIsraeri, neemadzimambo aJudha.
  10189. 2Ki 23:23 Asi mugore regumi nemasere ramambo Josiya, pasika iyi yakaitirwa Jehovha paJerusarema.
  10190. 2Ki 23:24 Pamusoro pazvo masvikiro, nevaroyi, nematerafimi, nezvifananidzo, nezvinyangadzo zvose, zvakaonekwa munyika yaJudha nemuJerusarema, Josiya wakabvisa, kuti asimbise mashoko emurairo, aiva akanyorwa mubhuku Hirikiya mupristi raakawana muimba yaJehovha.
  10191. 2Ki 23:25 Mberi kwake hakuna kuva namambo akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nemoyo wake wose, uye nemweya weupenyu wake wose, uye nesimba rake rose, zvichienderana nemurairo wose waMozisi; uye shure kwake hakuna kumuka wakafanana naye.
  10192. 2Ki 23:26 Zvakadaro Jehovha haana kutendeuka pakupfuta kwetsamwa kwake kukuru, kutsamwa kwake kwaakapfutira nako Judha, nekuda kwekutsamwisa kose Manase kwaakamutsamwisa nako.
  10193. 2Ki 23:27 Jehovha ndokuti: NaJudhawo ndichabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Israeri; ndicharamba guta iri reJerusarema, randakazvisarudzira, neimba yandakati pamusoro payo: Zita rangu richavapo.
  10194. 2Ki 23:28 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJosiya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  10195. 2Ki 23:29 Pamazuva ake Farao-Neko mambo weEgipita wakakwira kurwisa mambo weAsiriya parwizi Furati. Mambo Josiya ndokuenda kumuchingamidza. Iye ndokumuuraya paMegidho paakamuona.
  10196. 2Ki 23:30 Zvino varanda vake vakamutakura nengoro akafa kubva paMegidho, ndokumuisa kuJerusarema, ndokumuviga murinda rake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, ndokumuzodza, ndokumuisa kuva mambo pachinzvimbo chababa vake.
  10197. 2Ki 23:31 Jehoahazi waiva nemakore makumi maviri nematatu paakava mambo, ndokutonga mwedzi mitatu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.
  10198. 2Ki 23:32 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha zvichienderana nezvose izvo madzibaba ake zvaakaita.
  10199. 2Ki 23:33 Zvino Farao-Neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti asatonga paJerusarema; ndokuripisa nyika matarenda esirivha zana, netarenda regoridhe.
  10200. 2Ki 23:34 Zvino Farao-Neko wakaisa Eriakimu mwanakomana waJosiya kuva mambo pachinzvimbo chaJosiya baba vake, ndokushandura zita rake kuva Jehoyakimu; asi Jehoahazi wakamutora, ndokusvika kuEgipita, ndokufirako.
  10201. 2Ki 23:35 Jehoyakimu ndokupa Farao sirivha negoridhe, asi wakateresa nyika kuti ape mari iyo zvichienderana nemurairo waFarao; akabvisisa vanhu venyika sirivha negoridhe, umwe neumwe zvichienderana nemutero wake, kuti ape kuna Farao-Neko.
  10202. 2Ki 23:36 Jehoyakimu waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.
  10203. 2Ki 23:37 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha, zvichienderana nezvose madzibaba ake zvaakaita.
  10204. 2Ki 24:1 Pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi wakakwira; Jehoyakimu ndokuva muranda wake makore matatu; ndokudzoka ndokumupandukira.
  10205. 2Ki 24:2 Jehovha wakatuma kwaari hondo dzakarongwa dzevaKaradhiya, nehondo dzakarongwa dzevaSiriya, nehondo dzakarongwa dzevaMoabhu, nehondo dzakarongwa dzevana vaAmoni, ndokudzituma kurwisa Judha kuriparadza, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwevaranda vake vaporofita.
  10206. 2Ki 24:3 Zvirokwazvo nemurairo waJehovha izvi zvawira Judha, kuvabvisa kubva pachiso chake, nekuda kwezvivi zvaManase, zvichienderana nezvose zvaakaita;
  10207. 2Ki 24:4 uyewo nekuda kweropa risina mhosva raakateura; nokuti wakazadza Jerusarema neropa risina mhosva; Jehovha akasada kukanganwira.
  10208. 2Ki 24:5 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoyakimu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?
  10209. 2Ki 24:6 Jehoyakimu ndokurara nemadzibaba ake; mwanakomana wake Jehoyakini ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10210. 2Ki 24:7 Zvino mambo weEgipita haana kudzokororazve kubuda munyika yake, nokuti mambo weBhabhironi waiva atora kubva parukova rweEgipita kusvika parwizi Furati zvose zvaiva zvamambo weEgipita.
  10211. 2Ki 24:8 Jehoyakini waiva nemakore gumi nemasere paakava mambo, ndokutonga paJerusarema mwedzi mitatu. Uye zita ramai vake raiva Nehushuta mukunda waErinatani weJerusarema.
  10212. 2Ki 24:9 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha, zvichienderana nezvose madzibaba ake zvaakaita.
  10213. 2Ki 24:10 Panguva iyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakakwira kuJerusarema; guta ndokupinda pakukombwa.
  10214. 2Ki 24:11 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ndokusvika kurwisa guta, varanda vake vakarikomba.
  10215. 2Ki 24:12 Zvino Jehoyakini mambo waJudha wakabudira kuna mambo weBhabhironi, iye namai vake, nevaranda vake, nemachinda ake, nevatenwa vake; mambo weBhabhironi ndokumutora mugore rerusere rekutonga kwake.
  10216. 2Ki 24:13 Zvino wakabudisapo nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, ndokutema-tema nhumbi dzose dzegoridhe Soromoni mambo waIsraeri dzaaiva aita mutembere yaJehovha, Jehovha sezvaaiva areva.
  10217. 2Ki 24:14 Zvino wakatapa Jerusarema rose, nemachinda ose, nevane simba vemhare vose, vatapwa vane zvuru gumi, nemhizha dzose, nevapfuri; hakuna wakasiiwa kunze kwevepasi vevanhu venyika.
  10218. 2Ki 24:15 Zvino wakatapira Jehoyakini kuBhabhironi, namai vamambo, nevakadzi vamambo, nevatenwa vake, nevane simba venyika, akavatapira kuBhabhironi vachibva paJerusarema.
  10219. 2Ki 24:16 Zvino varume vose vesimba, zvuru zvinomwe, nemhizha nevapfuri churu, ava vose vakasimba vaiita hondo; mambo weBhabhironi ndokuvauisa vari vatapwa kuBhabhironi.
  10220. 2Ki 24:17 Mambo weBhabhironi ndokuita Mataniya babamunini vake mambo pachinzvimbo chake, ndokushandura zita rake kuva Zedhekia.
  10221. 2Ki 24:18 Zedhekia waiva nemakore makumi maviri nerimwe paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore gumi nerimwe. Uye zita ramai vake raiva Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.
  10222. 2Ki 24:19 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha zvichienderana nezvose Jehoyakini zvaakaita.
  10223. 2Ki 24:20 Nokuti nekuda kwekutsamwa kwaJehovha izvi zvakaitika paJerusarema nekwaJudha kusvika avarasa kubva pamberi pake. Zedhekia ndokumukira mambo weBhabhironi.
  10224. 2Ki 25:1 Zvino zvakaitika mugore repfumbamwe rekutonga kwake, mumwedzi wegumi, neregumi remwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi wakasvika, iye nehondo yake yose kurwisa Jerusarema, ndokudzika matende pakatarisana naro, ndokurivakira nhare kupoteredza.
  10225. 2Ki 25:2 Guta ndokupinda pakukombwa kusvika pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
  10226. 2Ki 25:3 Zvino nerepfumbamwe remwedzi nzara payakanyanya paguta, kwakavawo kusina zvekudya zvevanhu venyika.
  10227. 2Ki 25:4 Zvino guta rakapazirwa; varume vose vehondo ndokutiza usiku nenzira yesuwo pakati pemidhuri miviri yaiva pedo nebindu ramambo. Zvino vaKaradhiya vairwisa guta kupoteredza. Mambo ndokuenda nenzira yebani.
  10228. 2Ki 25:5 Zvino hondo yevaKaradhiya yakateverera mambo, ndokumubata pamapani eJeriko; hondo yake yose ndokupararira kubva kwaari.
  10229. 2Ki 25:6 Zvino vakabata mambo, ndokumukwidza kuna mambo weBhabhironi paRibhira, ndokutaura mutongo paari.
  10230. 2Ki 25:7 Zvino vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pemeso ake, vakapofumadza meso aZedhekia, ndokumusunga neketani mbiri dzendarira ndokumuisa kuBhabhironi.
  10231. 2Ki 25:8 Zvino mumwedzi weshanu, nerechinomwe remwedzi, rinova gore regumi nemapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, kwakauya Nebhuzaradhani mukuru wevarindi muranda wamambo weBhabhironi kuJerusarema.
  10232. 2Ki 25:9 Zvino wakapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; nedzimba dzose dzeJerusarema, neimba imwe neimwe yemukuru, wakapisa nemoto.
  10233. 2Ki 25:10 Zvino hondo yose yevaKaradhiya yaiva ine mukuru wevarindi yakaputsira pasi masvingo eJerusarema kumativi ose.
  10234. 2Ki 25:11 Uye vakasara vevanhu vaiva vasara muguta, nevawi vakawa kuna mambo weBhabhironi, nevakasara vechaunga, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavatapa.
  10235. 2Ki 25:12 Asi mukuru wevarindi wakasiya vamwe vevarombo venyika, kuva vashandi veminda yemizambiringa nevarimi.
  10236. 2Ki 25:13 Zvino mbiru dzendarira dzaiva muimba yaJehovha, nezvigadziko, negungwa rendarira, zvaiva muimba yaJehovha, vaKaradhiya vakaputsanya, ndokutakurira ndarira yazvo kuBhabhironi.
  10237. 2Ki 25:14 Nehari, nemafoshoro, nembato dzemwenje, nemigwaku, nemidziyo yose yendarira yavaishanda nayo, vakazvitora.
  10238. 2Ki 25:15 Nembato dzemoto, nendiro dzekusasisa, zvaiva goridhe goridhe uye zvaiva sirivha sirivha, mukuru wevarindi wakazvitora.
  10239. 2Ki 25:16 Nembiru mbiri, gungwa rimwe, nezvigadziko Soromoni zvaakaitira imba yaJehovha; ndarira yemidziyo yose iyi yaiva isina uremu hwakayerwa.
  10240. 2Ki 25:17 Kureba kwembiru imwe kwaiva makubhiti gumi nemasere; uye nhongonya yendarira yaiva pamusoro payo; uye kureba kwenhongonya kwaiva makubhiti matatu; nebasa rakarukwa, nemapomegiranati pamusoro penhongonya mativi ose, zvose zviri zvendarira; uye mbiru yechipiri yaiva ine zvakadai, ine basa rakarukwa.
  10241. 2Ki 25:18 Zvino mukuru wevarindi wakatora Seraya mupristi waiva musoro, naZefaniya mupristi wechipiri, nevarindi vatatu vemukova.
  10242. 2Ki 25:19 Uye kubva muguta wakatora mutenwa waiva akaiswa pamusoro pevarume vehondo, uye varume vashanu pane vakaona chiso chamambo vakawanikwa muguta, nemunyori mukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, nevarume makumi matanhatu vevanhu venyika vaiva vawanikwa muguta.
  10243. 2Ki 25:20 Zvino Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavatora, ndokuvaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
  10244. 2Ki 25:21 Zvino mambo weBhabhironi wakavarova, ndokuvauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo Judha wakatapwa kubviswa panyika yake.
  10245. 2Ki 25:22 Kana vari vanhu vakasara panyika yaJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi vaakasiya, pamusoro pavowo wakaisa Gedhariya mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani.
  10246. 2Ki 25:23 Vakuru vose vedzihondo, ivo nevanhu vavo, pavanzwa kuti mambo weBhabhironi waiva aisa Gedhariya kuva mutungamiriri, ivo ndokuuya kuna Gedhariya paMizipa, naIshimaeri mwanakomana waNetaniya, naJohwanani mwanakomana waKareya, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana wemuMaakati, ivo nevanhu vavo.
  10247. 2Ki 25:24 Gedhariya ndokupika kwavari, nekuvanhu vavo, ndokuti kwavari: Regai kutya kuva varanda vevaKaradhiya; garai munyika mushumire mambo weBhabhironi, uye zvichakunakirai.
  10248. 2Ki 25:25 Asi zvakaitika mumwedzi wechinomwe kuti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama, werudzi rweumambo, wakasvika, uye varume gumi vanaye, ndokurova Gedhariya kusvika afa, nevaJudha nevaKaradhiya vaiva naye paMizipa.
  10249. 2Ki 25:26 Zvino vanhu vose, kubva kumudiki kusvika kumukuru, nemisoro yedzihondo, ndokusimuka ngokusvika kuEgipita, nokuti vaiva vachitya vaKaradhiya.
  10250. 2Ki 25:27 Zvino zvakaitika mugore remakumi matatu nemanomwe rekutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, mumwedzi wegumi nemiviri, neremakumi maviri nemanomwe remwedzi, Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakava mambo, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha kumubvisa mutirongo.
  10251. 2Ki 25:28 Zvino wakataura zvakanaka naye ndokuisa chigaro chake cheushe pamusoro pechigaro cheushe chemadzimambo aiva naye muBhabhironi.
  10252. 2Ki 25:29 Zvino wakashandura nguvo dzeusungwa hwake, iye ndokudya chingwa pamberi pake rinhi narinhi mazuva ose eupenyu hwake.
  10253. 2Ki 25:30 Uye mugove wake wakatarwa, mugove wakatarwa unoenderera mberi wakapiwa iye namambo, chinhu chezuva nezuva racho, mazuva ose eupenyu hwake
  10254. 1Ch 1:1 Adhamu, Seti, Enoshi,
  10255. 1Ch 1:2 Kenani, Maharareri, Jaredhi,
  10256. 1Ch 1:3 Enoki, Metusera, Rameki,
  10257. 1Ch 1:4 Nowa, Shemu, Hamu, naJafeti.
  10258. 1Ch 1:5 Vanakomana vaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMesheki, naTirasi.
  10259. 1Ch 1:6 Nevanakomana vaGomeri: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.
  10260. 1Ch 1:7 Nevanakomana vaJavhani: Erisha, naTarishishi, Kitimi, naRodhanimi.
  10261. 1Ch 1:8 Vanakomana vaHamu: Kushi, naMiziraimu, Puti, naKenani.
  10262. 1Ch 1:9 Nevanakomana vaKushi: Shebha, naHavhira, naSabhita, naRaama, naSabhiteka. Nevanakomana vaRaama: Shebha, naDhedhani.
  10263. 1Ch 1:10 Kushi ndokubereka Nimurodhi; iye wakatanga kuva ane simba panyika.
  10264. 1Ch 1:11 Mizirami ndokubereka vaRudhimi, nevaAnami, nevaRehabhi, nevaNafutuhi,
  10265. 1Ch 1:12 nevaPatirusimi, nevaKasiruhimi (kwakabudako vaFirisitia), nevaKafitorimi.
  10266. 1Ch 1:13 Kenani ndokubereka Sidhoni dangwe rake, naHeti,
  10267. 1Ch 1:14 nemuJebhusi, nemuAmori, nemuGirigashi,
  10268. 1Ch 1:15 nemuHivhi, nemuAriki, nemuSini,
  10269. 1Ch 1:16 nemuArivhadhi, nemuZemari, nemuHamati.
  10270. 1Ch 1:17 Vanakomana vaShemu: Eramu, naAshuri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu, naUzi, naHuri, naGeteri, naMesheki.
  10271. 1Ch 1:18 Aripakishadhi ndokubereka Shera, Shera ndokubereka Ebheri.
  10272. 1Ch 1:19 Zvino Ebheri wakaberekerwa vanakomana vaviri. Zita reumwe raiva Peregi, nokuti mumazuva ake nyika yakakamurwa; uye zita remunin’ina wake raiva Jokitani.
  10273. 1Ch 1:20 Jokitani ndokubereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera,
  10274. 1Ch 1:21 naHadhoramu, naUzari, naDhikira,
  10275. 1Ch 1:22 naEbhari, naAbhimaeri, naShebha,
  10276. 1Ch 1:23 naOfiri, naHavhira, naJobhabhu. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.
  10277. 1Ch 1:24 Shemu, Aripakishadhi, Shera,
  10278. 1Ch 1:25 Ebheri, Peregi, Reu,
  10279. 1Ch 1:26 Serugi, Nahori, Tera,
  10280. 1Ch 1:27 Abhuramu, ndiye Abhurahama.
  10281. 1Ch 1:28 Vanakomana vaAbhurahama: Isaka, naIshimaeri.
  10282. 1Ch 1:29 Ndizvo zvizvarwa zvavo: Dangwe raIshimaeri Nebhaioti, naKedhari, naAdhidheeri, naMibhisami,
  10283. 1Ch 1:30 Mishima, naDhuma, Masa, Hadhadhi, naTema,
  10284. 1Ch 1:31 Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava vanakomana vaIshimaeri.
  10285. 1Ch 1:32 Uye vanakomana vaKetura, murongo waAbhurahama: Iye wakabereka Zimirani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. Uye vanakomana vaJokishani: Shebha, naDhedhani.
  10286. 1Ch 1:33 Nevanakomana vaMidhiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridhaha. Ava vose vaiva vanakomana vaKetura.
  10287. 1Ch 1:34 Abhurahama ndokubereka Isaka. Vanakomana vaIsaka: Esau, naIsraeri.
  10288. 1Ch 1:35 Vanakomana vaEsau: Erifazi, Reueri, naJeushi, naJaramu, naKora.
  10289. 1Ch 1:36 Vanakomana vaErifazi: Temani, naOmari, Zefi, naGatami, Kenazi, naTimina, naAmareki.
  10290. 1Ch 1:37 Vanakomana vaReueri: Nahati, Zera, Shama, naMiza.
  10291. 1Ch 1:38 Nevanakomana vaSeiri: Rotani, naShobhari, naZibheoni, naAna, naDhishoni, naEzeri, naDhishani.
  10292. 1Ch 1:39 Nevanakomana vaRotani: Hori, naHomami; nehanzvadzi yaRotani yaiva Timina.
  10293. 1Ch 1:40 Vanakomana vaShobhari: Ariani, naManahati, naEbhari, Shefi, naOnamu. Nevanakomana vaZibheoni: Aya, naAna.
  10294. 1Ch 1:41 Vanakomana vaAna: Dhishoni. Nevanakomana vaDhishoni: Hamurani, naEshibhani, naItirani, naKerani.
  10295. 1Ch 1:42 Vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZavani, Jakani. Vanakomana vaDhishani: Uzi, naArani.
  10296. 1Ch 1:43 Zvino awa madzimambo akatonga munyika yaEdhomu, pasati patonga mambo pamusoro pevanakomana vaIsraeri: Bhera mwanakomana waBheori; uye zita reguta rake raiva Dhinihabha.
  10297. 1Ch 1:44 Zvino Bhera wakafa; Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10298. 1Ch 1:45 Jobhabhu ndokufa; Hushamu wenyika yevaTemani ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10299. 1Ch 1:46 Hushamu ndokufa; Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakarova Midhiani pamunda waMoabhu, ndokuva mambo pachinzvimbo chake; nezita reguta rake raiva Avhiti.
  10300. 1Ch 1:47 Hadhadhi ndokufa; Samira weMasireka ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10301. 1Ch 1:48 Shamira ndokufa; Shauri weRehobhoti parwizi ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10302. 1Ch 1:49 Shauri ndokufa; Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  10303. 1Ch 1:50 Bhaari-Hanani ndokufa; Hadhadhi ndokuva mambo pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake raiva Pai; uye zita remukadzi wake raiva Mehetabheri mukunda waMatiredhu mukunda waMezahabhi.
  10304. 1Ch 1:51 Hadhadhi ndokufa. Zvino madzishe eEdhomu aiva: Ishe Timina, ishe Aria, ishe Jeteti,
  10305. 1Ch 1:52 ishe Ohoribhama, ishe Era, ishe Pinoni,
  10306. 1Ch 1:53 ishe Kenazi, ishe Temani, ishe Mibhizari,
  10307. 1Ch 1:54 ishe Magidhieri, ishe Iramu. Awa madzishe eEdhomu.
  10308. 1Ch 2:1 Ava vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simioni, Revhi, naJudha, Isasikari, naZebhuruni,
  10309. 1Ch 2:2 Dhani, Josefa, naBhenjamini, Nafutari, Gadhi, naAsheri.
  10310. 1Ch 2:3 Vanakomana vaJudha: Eri naOnani naShera; vatatu wakavaberekerwa kubva kumukunda waShua mukadzi muKenani. Asi Eri dangwe raJudha waiva wakaipa pameso paJehovha; iye ndokumuuraya.
  10311. 1Ch 2:4 Tamari muroora wake ndokumuberekera Perezi naZera. Vanakomana vose vaJudha vaiva vashanu.
  10312. 1Ch 2:5 Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
  10313. 1Ch 2:6 Nevanakomana vaZera: Zimiri, naEtani, naHemani, naKarikori, naDhara; vose vaiva vashanu.
  10314. 1Ch 2:7 Nevanakomana vaKarimi: Akari, mutambudzi waIsraeri, wakadarika pachinhu chakayereswa.
  10315. 1Ch 2:8 Nevanakomana vaEtani: Azariya.
  10316. 1Ch 2:9 Vanakomanawo vaHezironi vaakaberekerwa: Jerahimeeri, naRamu, naKerubhai.
  10317. 1Ch 2:10 Ramu ndokubereka Aminadhabhu; Aminadhabhu ndokubereka Nahishoni, muchinda wevana vaJudha.
  10318. 1Ch 2:11 Nahishoni ndokubereka Sarima; Sarima ndokubereka Bhowasi;
  10319. 1Ch 2:12 Bhowasi ndokubereka Obhedhi; Obhedhi ndokubereka Jese.
  10320. 1Ch 2:13 Zvino Jese wakabereka dangwe rake Eriabhu, naAbhinadhabhu wepiri, naShimea wetatu,
  10321. 1Ch 2:14 Netaneri wechina, Radhai weshanu,
  10322. 1Ch 2:15 Ozemi wetanhatu, Dhavhidhi wechinomwe.
  10323. 1Ch 2:16 Nehanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Nevanakomana vaZeruya: Abhishai, naJoabhu, naAsaheri, vatatu.
  10324. 1Ch 2:17 Zvino Abhigairi wakabereka Amasa; uye baba vaAmasa vaiva Jeteri muIshimaeri.
  10325. 1Ch 2:18 NaKarebhu mwanakomana waHezironi wakabereka kuna Azubha mukadzi wake uye kuna Jerioti; vanakomana vake vaiva ava: Jesheri, naShobhabhu, naAridhoni.
  10326. 1Ch 2:19 Zvino Azubha wakafa, Karebhu ndokuzvitorera Efurati; iye ndokumuberekera Huri.
  10327. 1Ch 2:20 Huri ndokubereka Uri; Uri ndokubereka Bhezareeri.
  10328. 1Ch 2:21 Zvino shure kweizvozvo Hezironi wakapinda kumukunda waMakiri baba vaGiriyadhi, waakawana ava wemakore makumi matanhatu; iye ndokumuberekera Segubhi.
  10329. 1Ch 2:22 Segubhi ndokubereka Jairi; iye waiva nemaguta makumi maviri nematatu panyika yeGiriyadhi.
  10330. 1Ch 2:23 Zvino wakatora Geshuri naArami pamwe nemisha yeJairi kubva kwavari, pamwe neKenati nemisha yaro, maguta makumi matanhatu. Ava vose vaiva vanakomana vaMakiri baba vaGiriyadhi.
  10331. 1Ch 2:24 Zvino shure kwekufa kwaHezironi paKarebhi-Efirata, Abhija mukadzi waHezironi ndokumuberekerawo Ashuri baba vaTekowa.
  10332. 1Ch 2:25 Zvino vanakomana vaJerahimeeri dangwe raHezironi vaiva Rami dangwe, naBhuna, naOreni, naOzemu, Ahija.
  10333. 1Ch 2:26 Zvino Jerahimeeri waiva neumwe mukadzi, uye zita rake raiva Atara; waiva mai vaOnamu.
  10334. 1Ch 2:27 Nevanakomana vaRami dangwe raJerahimeeri vaiva Maazi naJamini naEkeri.
  10335. 1Ch 2:28 Nevanakomana vaOnamu vaiva Shamai naJadha. Nevanakomana vaShamai: Nadhabhi naAbhishuri.
  10336. 1Ch 2:29 Uye zita remukadzi waAbhishuri raiva Abhihairi; iye ndokumuberekera Ahibhani naMoridhi.
  10337. 1Ch 2:30 Nevanakomana vaNadhabhi: Seredhi naApaimi; asi Seredhi wakafa asina vana.
  10338. 1Ch 2:31 Nevanakomana vaApaimi: Ishi. Nevanakomana vaIshi: Sheshani. Nevanakomana vaSheshani: Ahirai.
  10339. 1Ch 2:32 Nevanakomana vaJadha munin’ina waShamai: Jeteri naJonatani; asi Jeteri wakafa asina vana.
  10340. 1Ch 2:33 Nevanakomana vaJonatani: Pereti naZaza. Ndivo vaiva vanakomana vaJerahimeeri.
  10341. 1Ch 2:34 Zvino Sheshani waiva asina vanakomana, asi vanasikana. Uye Sheshani waiva ane muranda, muEgipita; nezita rake raiva Jariha.
  10342. 1Ch 2:35 Sheshani ndokupa mukunda wake kuna Jariha muranda wake kuva mukadzi; iye ndokumuberekera Atai.
  10343. 1Ch 2:36 Atai ndokubereka Natani; Natani ndokubereka Zabhadhi;
  10344. 1Ch 2:37 Zabhadhi ndokubereka Efirari; Efirari ndokubereka Obhedhi;
  10345. 1Ch 2:38 Obhedhi ndokubereka Jehu; Jehu ndokubereka Azariya;
  10346. 1Ch 2:39 Azariya ndokubereka Herezi; Herezi ndokubereka Ereyasa;
  10347. 1Ch 2:40 Ereyasa ndokubereka Sisimai; Sisimai ndokubereka Sharumi;
  10348. 1Ch 2:41 Sharumi ndokubereka Jekamiya; Jekamiya ndokubereka Erishama.
  10349. 1Ch 2:42 Nevanakomana vaKarebhu munin’ina waJerahimeeri: Mesha dangwe rake, waiva baba vaZifi; nevanakomana vaMaresha baba vaHebhuroni.
  10350. 1Ch 2:43 Nevanakomana vaHebhuroni: Kora, naTapuwa, naRekemu, naShema.
  10351. 1Ch 2:44 Shema ndokubereka Rahami, baba vaJorikeami; Rekemu ndokubereka Shamai.
  10352. 1Ch 2:45 Zvino mwanakomana waShamai waiva Maoni; uye Maoni waiva baba vaBheti-Zuri.
  10353. 1Ch 2:46 Efa murongo waKarebhu ndokubereka Harani, naMoza, naGazezi; Harani ndokubereka Gazezi.
  10354. 1Ch 2:47 Nevanakomana vaJadhayi: Regemu, naJotamu, naGeshani, naPereti, naEfa, naShaafi.
  10355. 1Ch 2:48 Maaka, murongo waKarebhu, wakabereka Shebheri naTirihana.
  10356. 1Ch 2:49 Iye wakaberekawo Shaafi baba vaMadhimana, Shevha baba vaMakibhena, nababa vaGibhiya. Uye mukunda waKarebhu waiva Akisa.
  10357. 1Ch 2:50 Ava vaiva vanakomana vaKarebhu mwanakomana waHuri, dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati-Jearimi,
  10358. 1Ch 2:51 Sarima baba vaBheterehemu, Harefi baba vaBheti-Gadheri.
  10359. 1Ch 2:52 Zvino vanakomana vaShobhari baba vaKiriati-Jearimi vaiva: Haroe, hafu yevaMenuhoti.
  10360. 1Ch 2:53 Mhuri dzaKiriati-Jearimi: VaItiri, nevaPuti, nevaShumati, nevaMishirai. Kwavari kwakabuda VaZorati nevaEshitaori.
  10361. 1Ch 2:54 Vanakomana vaSarima: Bheterehemu, nevaNetofati, Atiroti, Bheti-Joabhi, nehafu yevaManahati, nevaZori.
  10362. 1Ch 2:55 Uye mhuri dzevanyori, vagari veJabhezi: VaTirati, VaShimeati, vaSukati. Ndivo VaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhu.
  10363. 1Ch 3:1 Zvino ava vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa paHebhuroni: Dangwe Amunoni, kuna Ahinowamu muJezireeri; wepiri Dhaniyeri, kuna Abhigairi muKarimeri;
  10364. 1Ch 3:2 wetatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhoniya mwanakomana waHagiti;
  10365. 1Ch 3:3 weshanu Shefatia, kuna Abhiatari; wetanhatu Itireami, kuna Egira mukadzi wake.
  10366. 1Ch 3:4 Vatanhatu vakaberekerwa kwaari paHebhuroni; ndokutongapo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; uye paJerusarema wakatonga makore makumi matatu nematatu.
  10367. 1Ch 3:5 Ava vakaberekerwa iye paJerusarema: Shimea, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni, vari vana, kuna Bhatishuwa mukunda waAmieri;
  10368. 1Ch 3:6 naIbhari, naErishama, naErifereti,
  10369. 1Ch 3:7 naNoga, naNefegi, naJafia,
  10370. 1Ch 3:8 naErishama, naEriadha, naErifereti, vari vapfumbamwe.
  10371. 1Ch 3:9 Vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, kusingaverengwi vanakomana vevarongo; uye Tamari hanzvadzi yavo.
  10372. 1Ch 3:10 Nemwanakomana waSoromoni waiva Rehobhoamu; Abhia mwanakomana wake; Asa mwanakomana wake; Jehoshafati mwanakomana wake;
  10373. 1Ch 3:11 Joramu mwanakomana wake; Ahaziya mwanakomana wake; Joashi mwanakomana wake;
  10374. 1Ch 3:12 Amaziya mwanakomana wake; Azariya mwanakomana wake; Jotamu mwanakomana wake;
  10375. 1Ch 3:13 Ahazi mwanakomana wake; Hezekia mwanakomana wake; Manase mwanakomana wake;
  10376. 1Ch 3:14 Amoni mwanakomana wake; Josiya mwanakomana wake.
  10377. 1Ch 3:15 Nevanakomana vaJosiya: Dangwe Johwanani, wepiri Jehoyakimu, wetatu Zedhekia, wechina Sharumi.
  10378. 1Ch 3:16 Nevanakomana vaJehoyakimu: Jekoniya mwanakomana wake, Zedhekia mwanakomana wake.
  10379. 1Ch 3:17 Nevanakomana vaJekoniya: Asiri, Shearitieri mwanakomana wake,
  10380. 1Ch 3:18 naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.
  10381. 1Ch 3:19 Nevanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei. Nevanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHananiya, naSheromiti hanzvadzi yavo,
  10382. 1Ch 3:20 naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, Jushabhiheshedhi, vari vashanu.
  10383. 1Ch 3:21 Zvino vanakomana vaHananiya: Peratia, naJeshaya. Vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekaniya.
  10384. 1Ch 3:22 Nevanakomana vaShekaniya: Shemaya. Nevanakomana vaShemaya: Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, vari vatanhatu.
  10385. 1Ch 3:23 Nevanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikamu, vari vatatu.
  10386. 1Ch 3:24 Nevanakomana vaErioenai: Hodhavhia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohwanani, naDheraya, naAnani, vari vanomwe.
  10387. 1Ch 4:1 Vanakomana vaJudha: Perezi, Hezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari.
  10388. 1Ch 4:2 Zvino Reaya mwanakomana waShobhari wakabereka Jahati; Jahati ndokubereka Ahumai naRahadhi. Idzi imhuri dzevaZorati.
  10389. 1Ch 4:3 Ava vaiva vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo raiva Hazereriponi;
  10390. 1Ch 4:4 naPenueri baba vaGedhori; naEzeri baba vaHusha. Ava vanakomana vaHuri, dangwe raEfurata, baba vaBheterehemu.
  10391. 1Ch 4:5 Zvino Ashuri baba vaTekowa waiva nevakadzi vaviri: Hera naNahara.
  10392. 1Ch 4:6 Nahara ndokumuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ava vaiva vanakomana vaNahara.
  10393. 1Ch 4:7 Nevanakomana vaHera: Zereti, naZohari, naEtinani.
  10394. 1Ch 4:8 Kozi ndokubereka Anubhi, naZobhebha, nemhuri dzaAhariheri mwanakomana waHarumi.
  10395. 1Ch 4:9 Zvino Jabhezi wakakudzwa kukunda vanin’ina vake; mai vake ndokutumidza zita rake Jabhezi, vachiti: Nokuti ndakamubereka mukurwadziwa.
  10396. 1Ch 4:10 Zvino Jabhezi wakadana kuna Mwari waIsraeri, achiti: Dai mandiropafadza zvekundiropafadza, uye mukurise muganhu wangu, uye kuti ruoko rwenyu rwuve neni, uye mundichengete pane chakaipa, kuti musandirwadzisa! Mwari ndokuuisa zvaakakumbira.
  10397. 1Ch 4:11 Zvino Kerubhi munin’ina waShuha wakabereka Mehiri; ari baba vaEshitoni.
  10398. 1Ch 4:12 Eshitoni ndokubereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ava varume vaReka.
  10399. 1Ch 4:13 Zvino vanakomana vaKenazi: Otiniyeri, naSeraya. Nevanakomana vaOtiniyeri: Hatati.
  10400. 1Ch 4:14 Meonotai ndokubereka Ofira; Seraya ndokubereka Joabhu baba vemupata weHarashi; nokuti vaiva mhizha.
  10401. 1Ch 4:15 Nevanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, Era, naNahamu. Nevanakomana vaEra: Iye Kenazi.
  10402. 1Ch 4:16 Nevanakomana vaJeharereri: Zifi, naZifa, Tiria, naAsareri.
  10403. 1Ch 4:17 Nevanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Iye ndokubereka Miriamu, naShamai, naIshebha baba vaEshitemowa.
  10404. 1Ch 4:18 Mukadzi wake mukadzi muJudha ndokubereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanowa. Zvino ava vanakomana vaBhitia mukunda waFarao Meredhi waaiva atora.
  10405. 1Ch 4:19 Zvino vanakomana vemukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu, baba vaKeira muGarimu, naEshitemowa muMahakati.
  10406. 1Ch 4:20 Nevanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, Bhenihanani, naTironi. Nevanakomana vaIshi: Zoheti naBheni-Zoheti.
  10407. 1Ch 4:21 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRahadha baba vaMaresha, nemhuri dzeimba yevaiti vebasa remucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibheya;
  10408. 1Ch 4:22 naJokimi, nevarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaitonga pamusoro paMoabhu, naJashubhi-Rehemi. Mashoko awa ndeekare.
  10409. 1Ch 4:23 Ava vaiva vaumbi, nevagari vepazvirimwa neparuzhowa rwemakwenzi; vakagarapo namambo pabasa rake.
  10410. 1Ch 4:24 Vanakomana vaSimioni: Nemueri, naJamini, Jaribhi, Zera, Shauri.
  10411. 1Ch 4:25 Sharumu mwanakomana wake; Mibhisami mwanakomana wake; Mishima mwanakomana wake.
  10412. 1Ch 4:26 Nevanakomana vaMishima: Hamueri mwanakomana wake; Zakuri mwanakomana wake; Shimei mwanakomana wake.
  10413. 1Ch 4:27 Zvino Shimei waiva nevanakomana gumi nevatanhatu nevakunda vatanhatu; asi vanin’ina vake vaiva vasina vana vazhinji; uye mhuri yavo yose haina kuwanda sevana vaJudha.
  10414. 1Ch 4:28 Zvino vakagara paBheeri-Shebha, neMoradha, neHazari-Shuari,
  10415. 1Ch 4:29 nepaBhiriha, nepaEzemu, nepaToradhi,
  10416. 1Ch 4:30 nepaBhetueri, nepaHorima, nepaZikiragi,
  10417. 1Ch 4:31 nepaBheti-Marikabhoti, nepaHazari-Susimi, nepaBheti-Bhirei, nepaShaharaimi. Awa aiva maguta avo kusvika pakutonga kwaDhavhidhi.
  10418. 1Ch 4:32 Nemisha yavo yaiva Etami, neAini, Rimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu;
  10419. 1Ch 4:33 nemisha yavo yose yakapoteredza maguta iwawo kusvika paBhaari. Ndidzo dzaiva nzvimbo dzavo dzekugara, uye vakava nerudzi rwavo.
  10420. 1Ch 4:34 NaMeshobhabhu, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmaziya,
  10421. 1Ch 4:35 naJoweri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,
  10422. 1Ch 4:36 naErioenai, naJahakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJesimieri, naBhenaya,
  10423. 1Ch 4:37 naZiza, mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya;
  10424. 1Ch 4:38 ava vakarehwa nemazita, vaiva machinda mumhuri dzavo; neimba yemadzibaba avo ikawanda kwazvo.
  10425. 1Ch 4:39 Zvino vakaenda panopinda paGedhori kusvika kumabvazuva kwemupata kutsvakira makwai avo ufuro.
  10426. 1Ch 4:40 Zvino vakawana ufuro hwakakora uye hwakanaka, uye nyika yakafaranuka kumativi uye yakanyarara uye ine rugare; nokuti vekwaHamu vaigarapo kare.
  10427. 1Ch 4:41 Zvino ava vakanyorwa nemazita vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, ndokurova matende avo uye nzvimbo dzekugara dzakawanikwapo, ndokuvaparadza chose kusvika nhasi, ndokugara panzvimbo yavo, nokuti ufuro hwemakwai hwaivapo.
  10428. 1Ch 4:42 Zvino kwavari, pavanakomana vaSimioni, kwakabuda varume mazana mashanu vakaenda kugomo reSeiri, naPeratia, naNeyaria, naRefaya, naUziyeri, vanakomana vaIshi vave misoro yavo.
  10429. 1Ch 4:43 Zvino vakarova vakasara vakapukunyuka vevaAmareki, ndokugarapo kusvika zuva ranhasi.
  10430. 1Ch 5:1 Zvino vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri (nokuti waiva dangwe; asi sezvaakasvibisa nhovo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; uye waiva asingaverengwi sedangwe;
  10431. 1Ch 5:2 nokuti Judha waiva nesimba pavana vababa vake, uye waiva mutungamiriri wakabva kwaari; asi udangwe hwaiva hwaJosefa).
  10432. 1Ch 5:3 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri: Hanoki, naParu, Hezironi, naKarimi.
  10433. 1Ch 5:4 Vanakomana vaJoweri: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake,
  10434. 1Ch 5:5 Mika mwanakomana wake, Reaya mwanakomana wake, Bhaari mwanakomana wake,
  10435. 1Ch 5:6 Bheera mwanakomana wake, Tirigati-Pirineseri mambo weAsiriya waakatapa; iye waiva muchinda wevaRubheni.
  10436. 1Ch 5:7 Nevanin’ina vake nemhuri dzavo, pavanoverengwa nerudzi rwemazera avo: Musoro Jeyieri, naZekariya,
  10437. 1Ch 5:8 naBhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoweri, waigara paAroeri kusvikawo paNebho neBhaari-Meoni.
  10438. 1Ch 5:9 Nekumabvazuva waiva agere kusvika pakupinda parenje, kubva parwizi Furati; nokuti zvipfuwo zvavo zvaiva zvawanda panyika yeGiriyadhi.
  10439. 1Ch 5:10 Zvino mumazuva aSauro vakaita hondo nevaHagari; ivo vakawa neruoko rwavo; ivo ndokugara mumatende avo kusvika kurutivi rwose rwemabvazuva rweGiriyadhi.
  10440. 1Ch 5:11 Zvino vana vaGadhi vakagara pakatarisana navo panyika yeBhashani kusvika paSarika:
  10441. 1Ch 5:12 Joweri musoro, naShafani wepiri, naJahanai, naShafati muBhashani.
  10442. 1Ch 5:13 Nevanin’ina vavo veimba yemadzibaba avo: Mikayeri, naMeshuramu, naShebha, naJorai, naJakani, naZiya, naEbheri, vanomwe.
  10443. 1Ch 5:14 Ndivo vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJaroa, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMikayeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJahidho, mwanakomana waBhuzi,
  10444. 1Ch 5:15 Ahi, mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, musoro weimba yemadzibaba avo.
  10445. 1Ch 5:16 Zvino vakagara muGiriyadhi muBhashani, nemumisha yaro, nemumafuro ose eSharoni, kusvika kumiganhu yawo.
  10446. 1Ch 5:17 Ava vose vakanyorwa nemarudzi mumazuva aJotamu mambo waJudha, nemumazuva aJerobhoamu mambo waIsraeri.
  10447. 1Ch 5:18 Vanakomana vaRubheni nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, vevana veumhare, varume vanotakura chidzitiro nemunondo, nekupwanya uta, uye nyanzvi pahondo, zvuru makumi mana nezvina nemazana manomwe nemakumi matanhatu, vaibudira kuhondo.
  10448. 1Ch 5:19 Zvino vakaita hondo nevaHagari, naJeturi, naNafishi, naNodhabhu.
  10449. 1Ch 5:20 Zvino vakabatsirwa kuvarwisa, vaHagari ndokupiwa muruoko rwavo, nevose vaiva navo; nokuti vakachema kuna Mwari pahondo, iye akanyengetedzeka navo; nokuti vaitenda kwaari.
  10450. 1Ch 5:21 Zvino vakatapa zvipfuwo zvavo, makamera avo zvuru makumi mashanu, nemakwai zvuru mazana maviri nemakumi mashanu, nembongoro zvuru zviviri, nemweya yeupenyu yevanhu zvuru zana.
  10451. 1Ch 5:22 Nokuti kwakawa vazhinji vakaurawa, nokuti hondo ndeyaMwari. Ivo ndokugara pachinzvimbo chavo kusvika pakutapwa.
  10452. 1Ch 5:23 Zvino vana vehafu yerudzi rwaManase vakagara panyika iyo; ivo vakawanda kubva paBhashani kusvika paBhaari-Herimoni neSeniri negomo reHerimoni.
  10453. 1Ch 5:24 Zvino ava misoro yeimba yemadzibaba avo, ivo Eferi, naIshi, naErieri, naAzirieri, naJeremiya, naHodhavhia, naJahidhieri, varume vesimba neumhare, vanhu vaiva nemukurumbira, misoro yeimba yemadzibaba avo.
  10454. 1Ch 5:25 Asi vakazotadzira Mwari wemadzibaba avo, vakafeva kutevera vamwari vevanhu venyika iyo, Mwari vaaiva aparadza pamberi pavo.
  10455. 1Ch 5:26 Mwari waIsraeri ndokumutsa mweya waPuri mambo weAsiriya, nemweya waTirigati-Pirineseri mambo weAsiriya; ndokuvatapa, ivo vaRubheni, nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, ndokuvaisa kuHaraha, neHabhori, neHara, nekurwizi Gozani kusvika nhasi.
  10456. 1Ch 6:1 Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati, naMerari.
  10457. 1Ch 6:2 Nevanakomana vaKohati: Amiramu, Izihari, naHebhuroni, naUziyeri.
  10458. 1Ch 6:3 Nevana vaAmiramu: Aroni, naMozisi, naMiriamu. Nevanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.
  10459. 1Ch 6:4 Eriazari wakabereka Pinehasi; Pinehasi akabereka Abhishuwa;
  10460. 1Ch 6:5 Abhishuwa ndokubereka Bhuki; Bhuki ndokubereka Uzi;
  10461. 1Ch 6:6 Uzi ndokubereka Zerahiya; Zerahiya ndokubereka Merayoti;
  10462. 1Ch 6:7 Merayoti wakabereka Amariya; Amariya ndokubereka Ahitubhi;
  10463. 1Ch 6:8 Ahitubhi ndokubereka Zadhoki; Zadhoki ndokubereka Ahimahazi;
  10464. 1Ch 6:9 Ahimahazi ndokubereka Azariya; Azariya ndokubereka Johwanani;
  10465. 1Ch 6:10 Johwanani ndokubereka Azariya (ndiye waibata semupristi muimba Soromoni yaakavaka paJerusarema);
  10466. 1Ch 6:11 Azariya ndokubereka Amariya; Amariya ndokubereka Ahitubhi;
  10467. 1Ch 6:12 Ahitubhi ndokubereka Zadhoki; Zadhoki ndokubereka Sharumi;
  10468. 1Ch 6:13 Sharumi ndokubereka Hirikiya; Hirikiya ndokubereka Azariya;
  10469. 1Ch 6:14 Azariya ndokubereka Seraya; Seraya ndokubereka Jehozadhaki.
  10470. 1Ch 6:15 NaJehozadhaki wakaenda Jehovha paakatapa Judha neJerusarema neruoko rwaNebhukadhinezari.
  10471. 1Ch 6:16 Vanakomana vaRevhi: Gerishomu, Kohati, naMerari.
  10472. 1Ch 6:17 Zvino awa mazita evanakomana vaGerishomu: Ribhini naShimei.
  10473. 1Ch 6:18 Nevanakomana vaKohati: Amiramu, naIzihari, naHebhuroni, naUziyeri.
  10474. 1Ch 6:19 Vanakomana vaMerari: Mahiri, naMushi. Uye idzi imhuri dzevaRevhi zvichienderana nemadzibaba avo.
  10475. 1Ch 6:20 KwaGerishomu: Ribhini mwanakomana wake, Jahati mwanakomana wake, Zima mwanakomana wake,
  10476. 1Ch 6:21 Joa mwanakomana wake, Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake, Jeaterai mwanakomana wake.
  10477. 1Ch 6:22 Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,
  10478. 1Ch 6:23 Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake,
  10479. 1Ch 6:24 Tahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uziya mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake.
  10480. 1Ch 6:25 Nevanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti.
  10481. 1Ch 6:26 Erikana; vanakomana vaErikana: Zofayi mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,
  10482. 1Ch 6:27 Eriabhu mwanakomana wake, Jerohamu mwanakomana wake, Erikana mwanakomana wake.
  10483. 1Ch 6:28 Nevanakomana vaSamueri: Dangwe Vhashini, naAbhija.
  10484. 1Ch 6:29 Vanakomana vaMerari: Mahiri, Ribhini mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,
  10485. 1Ch 6:30 Shimea mwanakomana wake, Hagiya mwanakomana wake, Asaya mwanakomana wake.
  10486. 1Ch 6:31 Uye ava ndivo Dhavhidhi vaakagadza pamusoro peshumiro yerwiyo rweimba yaJehovha, pashure pezororo reareka.
  10487. 1Ch 6:32 Uye vaishumira pamberi petabhenekari yetende rekusangana nerwiyo, kusvika Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusarema. Zvino vakamira zvichienderana nechimiso chavo pashumiro yavo.
  10488. 1Ch 6:33 Zvino ava ndivo vaimira, nevanakomana vavo: Kuvanakomana vevaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoweri, mwanakomana waSamueri,
  10489. 1Ch 6:34 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waTowa,
  10490. 1Ch 6:35 mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai,
  10491. 1Ch 6:36 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoweri, mwanakomana waAzariya, mwanakomana waZefaniya,
  10492. 1Ch 6:37 mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora,
  10493. 1Ch 6:38 mwanakomana waIzihari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri.
  10494. 1Ch 6:39 Nemunin’ina wake Asafi, wakamira kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekiya, mwanakomana waShimea,
  10495. 1Ch 6:40 mwanakomana waMikayeri, mwanakomana waBhahaseya, mwanakomana waMarikiya,
  10496. 1Ch 6:41 mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,
  10497. 1Ch 6:42 mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei,
  10498. 1Ch 6:43 mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomu, mwanakomana waRevhi.
  10499. 1Ch 6:44 Nevanakomana vaMerari, vana vababa vavo, kuruboshwe rwavo: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki,
  10500. 1Ch 6:45 mwanakomana waHashabhiya, mwanakomana waAmaziya, mwanakomana waHirikiya,
  10501. 1Ch 6:46 mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri,
  10502. 1Ch 6:47 mwanakomana waMahiri, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.
  10503. 1Ch 6:48 Nehama dzavo vaRevhi vakaiswa pashumiro yose yetabhenekari yeimba yaMwari.
  10504. 1Ch 6:49 Asi Aroni nevanakomana vake vabaira paaritari yezvipo zvinopiswa nepaaritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, kuitira basa rose renzvimbo tsvene yedzitsvene, nekuitira Israeri chiyananiso, zvichienderana nezvose Mozisi muranda waMwari zvaakaraira.
  10505. 1Ch 6:50 Uye ava vanakomana vaAroni: Eriazari mwanakomana wake, Pinehasi mwanakomana wake, Abhishuwa mwanakomana wake,
  10506. 1Ch 6:51 Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake, Zerahiya mwanakomana wake,
  10507. 1Ch 6:52 Merayoti mwanakomana wake, Amariya mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,
  10508. 1Ch 6:53 Zadhoki mwanakomana wake, Ahimahazi mwanakomana wake.
  10509. 1Ch 6:54 Zvino idzi dzaiva nzvimbo dzavo dzekugara pamisasa yavo pamiganhu yavo: Kuvanakomana vaAroni, vemhuri yevaKohati, nokuti mujenya waiva wavo.
  10510. 1Ch 6:55 Zvino vakapa kwavari Hebhuroni munyika yaJudha, nemafuro aro akaripoteredza.
  10511. 1Ch 6:56 Asi munda weguta nemisha yaro vakazvipa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
  10512. 1Ch 6:57 Nekuvanakomana vaAroni vakapa maguta eutiziro: Hebhuroni, neRibhina nemafuro aro, neJatiri, neEshitemowa nemafuro aro,
  10513. 1Ch 6:58 neHireni nemafuro aro, Dhebhiri nemafuro aro,
  10514. 1Ch 6:59 neAshani nemafuro aro, neBheti-Shemeshi nemafuro aro.
  10515. 1Ch 6:60 Uye kubva kurudzi rwaBhenjamini: Gebha nemafuro aro, neAremeti nemafuro aro, neAnatoti nemafuro aro. Maguta avo ose mumhuri dzavo, aiva maguta gumi nematatu.
  10516. 1Ch 6:61 Nekuvanakomana vaKohati, vakasara pamhuri yerudzi, vakabva kuhafu yerudzi, hafu yekwaManase, maguta gumi nemujenya.
  10517. 1Ch 6:62 Nekuvanakomana vaGerishomu nemhuri dzavo, kubva kurudzi rwaIsasikari, nekubva kurudzi rwaAsheri, nekubva kurudzi rwaNafutari, nekubva kurudzi rwaManase paBhashani, maguta gumi nematatu.
  10518. 1Ch 6:63 Kuvanakomana vaMerari nemhuri dzavo, kubva kurudzi rwaRubheni, nekubva kurudzi rwaGadhi, nekubva kurudzi rwaZebhuruni, maguta gumi nemaviri, nemujenya.
  10519. 1Ch 6:64 Nevana vaIsraeri vakapa kuvaRevhi maguta awa nemafuro awo.
  10520. 1Ch 6:65 Zvino vakapa maguta iwawo nemujenya kubva kurudzi rwevana vaJudha, nekubva kurudzi rwevana vaSimioni, nekubva kurudzi rwevana vaBhenjamini, avakadana nemazita.
  10521. 1Ch 6:66 Nevamwe vemhuri dzevanakomana vaKohati vaiva nemaguta pamiganhu yavo, kubva kurudzi rwaEfuremu.
  10522. 1Ch 6:67 Zvino vakapa kwavari maguta eutiziro: Shekemu panyika yemakomo aEfuremu nemafuro aro, neGezeri nemafuro aro,
  10523. 1Ch 6:68 neJokimeami nemafuro aro, neBheti-Horoni nemafuro aro,
  10524. 1Ch 6:69 neAjaroni nemafuro aro, neGati-Rimoni nemafuro aro.
  10525. 1Ch 6:70 Zvino kubva kuhafu yerudzi rwaManase: Aneri nemafuro aro, naBhiriyamu nemafuro aro, zvemhuri yevanakomana vaKohati vakasara.
  10526. 1Ch 6:71 Kuvanakomana vaGerishomu kubva pamhuri yehafu yerudzi rwaManase: Gorani paBhashani nemafuro aro, neAshitaroti nemafuro aro.
  10527. 1Ch 6:72 Uye kubva kurudzi rwaIsasikari: Kedheshi nemafuro aro, Dhabherati nemafuro aro,
  10528. 1Ch 6:73 neRamoti nemafuro aro, neAnemi nemafuro aro.
  10529. 1Ch 6:74 Nekubva kurudzi rwaAsheri: Mashari nemafuro aro, neAbhidhoni nemafuro aro,
  10530. 1Ch 6:75 neHukoki nemafuro aro, neRehobhi nemafuro aro.
  10531. 1Ch 6:76 Nekubva kurudzi rwaNafutari: Kedheshi muGariri nemafuro aro, neHamoni nemafuro aro, neKiriataimi nemafuro aro.
  10532. 1Ch 6:77 Kuvanakomana vaMerari vakasara: Kubva kurudzi rwaZebhuruni: Rimono nemafuro aro, Tabhori nemafuro aro.
  10533. 1Ch 6:78 Uye mhiri kwaJoridhani, paJeriko, kumabvazuva kwaJoridhani, kubva kurudzi rwaRubheni: Bhezeri murenje nemafuro aro, neJaza nemafuro aro,
  10534. 1Ch 6:79 neKedhemoti nemafuro aro, neMefahati nemafuro aro.
  10535. 1Ch 6:80 Nekubva kurudzi rwaGadhi: Ramoti muGiriyadhi nemafuro aro, neMahanayimu nemafuro aro,
  10536. 1Ch 6:81 neHeshibhoni nemafuro aro, neJazeri nemafuro aro.
  10537. 1Ch 7:1 Nekuvanakomana vaIsasikari: Tora, naPuwa, Jashubhi, naShimironi, vana.
  10538. 1Ch 7:2 Nevanakomana vaTora: Uzi, naRefaya, naJerieri, naJahimai, naIbhisamu, naShemueri, misoro yeimba yemadzibaba avo, kwaTora, varume vane simba neumhare pamazera avo; uwandu hwavo pamazuva aDhavhidhi hwaiva zvuru makumi maviri nezviviri nemazana matanhatu.
  10539. 1Ch 7:3 Nevanakomana vaUzi: Izirahiya; nevanakomana vaIzirahiya: Mikayeri naObhadhiya, naJoweri, Ishishiya, vashanu; vose vari misoro.
  10540. 1Ch 7:4 Zvino pamwe navo nemarudzi avo zvichienderana neimba yemadzibaba avo, kwaiva nehondo dzakarongwa dzeuto rehondo zvuru makumi matatu nezvitanhatu; nokuti vaiva nevakadzi nevanakomana vazhinji.
  10541. 1Ch 7:5 Nehama dzavo pakati pemhuri dzose dzaIsasikari, varume vane simba veumhare, zvuru makumi masere nezvinomwe, vose vakaverengwa nerudzi.
  10542. 1Ch 7:6 Vanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naJedhiyaeri, vatatu.
  10543. 1Ch 7:7 Nevanakomana vaBhera: Ezibhoni, naUzi, naUziyeri, naJerimoti, naIri, vashanu; misoro yeimba yemadzibaba, varume vane simba veumhare, vakaverengwa nemarudzi, zvuru makumi maviri nezviviri nemakumi matatu nevana.
  10544. 1Ch 7:8 Nevanakomana vaBhekeri: Zemira, naJowashi, naEriezeri, naErioenai, naOmiri, naJeremoti, naAbhiya, naAnatoti, naAremeti. Ava vose vaiva vanakomana vaBhekeri.
  10545. 1Ch 7:9 Vakaverengwa nerudzi nemazera avo, misoro yeimba yemadzibaba avo, varume vane simba veumhare, zvuru makumi maviri nemazana maviri.
  10546. 1Ch 7:10 Nevanakomana vaJedhiyaeri: Bhirihani. Nevanakomana vaBhirihani: Jehushi, naBhenjamini, naEhudhi, naKenahana, naZetani, naTarishishi, naAhishahari.
  10547. 1Ch 7:11 Ava vose vanakomana vaJedhiyaeri, nemisoro yemadzibaba, varume vane simba veumhare, zvuru gumi nezvinomwe nemazana maviri, vangabudira mauto kuhondo.
  10548. 1Ch 7:12 NaShupimi, naHupimi, vanakomana vaIri; Hushimi, vanakomana vaAheri.
  10549. 1Ch 7:13 Vanakomana vaNafutari: Jazieri, naGuni, naJezeri, naSharumi, vanakomana vaBhiriha.
  10550. 1Ch 7:14 Vanakomana vaManase: Ashirieri mukadzi wake waakabereka; murongo wake mukadzi muAramu wakabereka Makiri baba vaGiriyadhi.
  10551. 1Ch 7:15 Makiri ndokutora pana Hupimi nepana Shupimi kuva mukadzi, uye zita rehanzvadzi yake raiva Mahaka; uye zita rewechipiri raiva Zerofehadhi; uye Zerofehadhi waiva nevakunda.
  10552. 1Ch 7:16 Zvino Mahaka mukadzi waMakiri wakabereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Pereshi; uye zita remunin’ina wake raiva Shereshi; nevanakomana vake vaiva Urami naRekemu.
  10553. 1Ch 7:17 Nevanakomana vaUramu: Bhedhani. Ava vanakomana vaGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase.
  10554. 1Ch 7:18 Hanzvadzi yake Hamoreketi ndokubereka Ishodhi, naAbhiyezeri, naMahara.
  10555. 1Ch 7:19 Vanakomana vaShemidha vaiva: Ahiyani, naShekemu, naRiki, naAniyamu.
  10556. 1Ch 7:20 Zvino vanakomana vaEfuremu: Shutera, naBheredhi mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naEradha mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake,
  10557. 1Ch 7:21 naZabhadhi mwanakomana wake, naShutera mwanakomana wake, naEzeri, naEreyadhi. Varume veGati vakaberekerwa panyika iyo ndokuvauraya, nokuti vaburukira kuzotora zvipfuwo zvavo.
  10558. 1Ch 7:22 Efuremu baba vavo ndokuchema mazuva mazhinji; hama dzake ndokuuya kuzomunyaradza.
  10559. 1Ch 7:23 Zvino wakapinda kumukadzi wake, akabata mimba, ndokubereka mwanakomana; iye ndokutumidza zita rake kuti Bheriya; nokuti waiva pakaipa muimba yake.
  10560. 1Ch 7:24 Nemukunda wake waiva Sheera, uyo wakavaka Bheti-Horoni rezasi nerekumusoro, neUzeni-Sheera.
  10561. 1Ch 7:25 NaRefa waiva mwanakomana wake, naReshefi, naTera mwanakomana wake, naTahani mwanakomana wake,
  10562. 1Ch 7:26 Rahadhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake, Erishama mwanakomana wake,
  10563. 1Ch 7:27 Noni mwanakomana wake, Joshua mwanakomana wake.
  10564. 1Ch 7:28 Nefuma yavo nenzvimbo dzavo dzekugara dzaiva Bheteri nemisha yaro; nekumabvazuva Naharani, nekumavirira Gezeri nemisha yaro, neShekemu nemisha yaro, kusvika paGaza nemisha yaro.
  10565. 1Ch 7:29 Nekumiganhu yevana vaManase: Bheti-Sheyani nemisha yaro, Taanaki nemisha yaro, Megidho nemisha yaro, Dhori nemisha yaro. Mune iyi maigara vana vaJosefa mwanakomana waIsraeri.
  10566. 1Ch 7:30 Vanakomana vaAsheri: Imina, naIshivha, naIshivhi, naBheriya, naSera hanzvadzi yavo.
  10567. 1Ch 7:31 Nevanakomana vaBheriya: Hebheri, naMarikiyeri, waiva baba vaBhirizayiti.
  10568. 1Ch 7:32 Hebheri ndokubereka Jafureti, naShomeri, naHotamu, naShuwa hanzvadzi yavo.
  10569. 1Ch 7:33 Nevanakomana vaJafureti: Pasaki, naBhimari, naAshivati. Ndivo vanakomana vaJafureti.
  10570. 1Ch 7:34 Nevanakomana vaShemeri: Ahi, naRohiga, naJehubha, naAramu.
  10571. 1Ch 7:35 Nevanakomana vaHeremu munin’ina wake: Zofa, naImina, naShereshi, naAmari.
  10572. 1Ch 7:36 Vanakomana vaZofa: Suwa, naHarineferi, naShuwari, naBheri, naImira,
  10573. 1Ch 7:37 Bhezeri, naHodhi, naShama, naShirisha, naItirani, naBhehera.
  10574. 1Ch 7:38 Nevanakomana vaJeteri: Jefune, naPisipa, naAra.
  10575. 1Ch 7:39 Nevanakomana vaUra: Ara, naHanieri, naRizia.
  10576. 1Ch 7:40 Ava vose vana vaAsheri, misoro yeimba yemadzibaba, vakasarudzwa, vane simba veumhare, misoro yemachinda. Uye vakaverengwa nerudzi pamauto pahondo; uwandu hwavo hwaiva varume zvuru makumi maviri nezvitanhatu.
  10577. 1Ch 8:1 Zvino Bhenjamini wakabereka Bhera dangwe rake, Ashibheri wepiri, naAhara wetatu,
  10578. 1Ch 8:2 Noha wechina, naRafa weshanu.
  10579. 1Ch 8:3 Uye Bhera waiva nevanakomana: Adhari, naGera, naAbhihudhi,
  10580. 1Ch 8:4 naAbhishuwa, naNaamani, naAhowa,
  10581. 1Ch 8:5 naGera, naShefufani, naHuramu.
  10582. 1Ch 8:6 Zvino ava vanakomana vaEhudhi: Ndivo misoro yemadzibaba evagari vepaGebha, uye vakavatapira kuManahati;
  10583. 1Ch 8:7 naNaamani, naAhiya, naGera, iye wakavatapa; ndokubereka Uza naAhihudhi.
  10584. 1Ch 8:8 Shaharaimu ndokubereka panyika yaMoabhu, shure kwekuvadzinga kwake. Hushimi naBhahara vaiva vakadzi vake.
  10585. 1Ch 8:9 Zvino wakabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikamu,
  10586. 1Ch 8:10 naJeuzi, naSakiya, naMirima. Ava vanakomana vake, misoro yemadzibaba.
  10587. 1Ch 8:11 Zvino kuna Hushimi wakabereka Abhitubhi naEripahari.
  10588. 1Ch 8:12 Uye vanakomana vaEripahari: Ebheri, naMishamu, naShemedhi; iye wakavaka Ono, neRodhi, nemisha yawo,
  10589. 1Ch 8:13 naBheriya, naShema; ivo vaiva misoro yemadzibaba kuvagari vepaAjaroni; ivo vaiva vadzinga vagari vepaGati;
  10590. 1Ch 8:14 naAhiyo, Shashaki, naJeremoti,
  10591. 1Ch 8:15 naZebhadhia, naAradhi, naEdheri,
  10592. 1Ch 8:16 naMikayeri, naIshipa, naJoha, vanakomana vaBheriya;
  10593. 1Ch 8:17 naZebhadhia, naMeshuramu, naHiziki, naHebheri,
  10594. 1Ch 8:18 naIshimerai, naIziriya, naJobhabhu, vanakomana vaEripahari;
  10595. 1Ch 8:19 naJakimu, naZikiri, naZabhudhi,
  10596. 1Ch 8:20 naErienai, naZiretai, naEriyeri,
  10597. 1Ch 8:21 naAdhaya, naBheraya, naShimurati, vanakomana vaShimei;
  10598. 1Ch 8:22 naIshipani, naEbheri, naEriyeri,
  10599. 1Ch 8:23 naAbhudhoni, naZikiri, naHanani,
  10600. 1Ch 8:24 naHananiya, naEramu, naAnitotiya,
  10601. 1Ch 8:25 naIfudheya, naPenueri, vanakomana vaShashaki;
  10602. 1Ch 8:26 naShamusherai, naShehariya, naAtariya,
  10603. 1Ch 8:27 naJaareshiya, naEriya, naZikiri, vanakomana vaJerohamu.
  10604. 1Ch 8:28 Ava vaiva misoro yemadzibaba, misoro pamarudzi avo; ava vaigara muJerusarema.
  10605. 1Ch 8:29 NepaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni; nezita remukadzi wake raiva Mahaka;
  10606. 1Ch 8:30 uye mwanakomana wake dangwe aiva Abhidhoni; naZuri, naKishi, naBhahari, naNadhabhi,
  10607. 1Ch 8:31 naGedhori, naAhiyo, naZekeri.
  10608. 1Ch 8:32 Mikiroti ndokubereka Shimeya. Uye avawo vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusarema, pamwe nehama dzavo.
  10609. 1Ch 8:33 Neri ndokubereka Kishi, Kishi ndokubereka Sauro, Sauro ndokubereka Jonatani, naMariki-Shua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.
  10610. 1Ch 8:34 Zvino mwanakomana waJonatani waiva Meribhi-Bhaari; Meribhi-Bhaari ndokubereka Mika.
  10611. 1Ch 8:35 Nevanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTareya, naAhazi.
  10612. 1Ch 8:36 Ahazi ndokubereka Jehoadha, Jehoadha ndokubereka Aremeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri ndokubereka Moza;
  10613. 1Ch 8:37 Moza ndokubereka Bhineya; Rafa waiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake, Azeri mwanakomana wake.
  10614. 1Ch 8:38 Zvino Azeri waiva nevanakomana vatanhatu; uye awa ndiwo mazita avo: Azirikamu, Bhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri.
  10615. 1Ch 8:39 Nevanakomana vaEsheki munin’ina wake: Uramu dangwe rake, Jeushi wepiri, naErifereti wetatu.
  10616. 1Ch 8:40 Zvino vanakomana vaUramu vaiva varume vane simba veumhare, vaihwembura uta; vaiva nevanakomana vazhinji, nevanakomana vevanakomana, zana nemakumi mashanu. Ava vose vaiva vevanakomana vaBhenjamini.
  10617. 1Ch 9:1 Zvino Israeri wose wakaverengwa nemarudzi [ake]; zvino tarirai, vakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri; asi vaJudha vakatapirwa kuBhabhironi nekuda kwekudarika kwavo.
  10618. 1Ch 9:2 Zvino vagari vekutanga vaiva pafuma yavo pamaguta avo vaiva vaIsraeri, vapristi, vaRevhi, nevaNetinimi.
  10619. 1Ch 9:3 NepaJerusarema paigara vevana vaJudha, nevevana vaBhenjamini, nevevana vaEfuremu naManase:
  10620. 1Ch 9:4 Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, wevana vaPerezi, mwanakomana waJudha.
  10621. 1Ch 9:5 NekuvaShiro: Asaya dangwe, nevanakomana vake.
  10622. 1Ch 9:6 Nekuvanakomana vaZera: Jeueri, nehama dzavo, mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe.
  10623. 1Ch 9:7 Nekuvanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami mwanakomana waHodhavhiya mwanakomana waHasenuwa,
  10624. 1Ch 9:8 naIbhineya mwanakomana waJehoramu, naEra mwanakomana waUzi mwanakomana waMikiri, naMeshurami mwanakomana waShefatiya mwanakomana waReueri mwanakomana waIbhiniya,
  10625. 1Ch 9:9 nehama dzavo, zvichienderana nemazera avo, mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nematanhatu. Varume ava vose vaiva misoro yemadzibaba zvichienderana neimba yemadzibaba avo.
  10626. 1Ch 9:10 Nekuvapristi: Jedhaya, naJehoyaribhi, naJakini,
  10627. 1Ch 9:11 naAzariya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhi, mutungamiriri muimba yaMwari,
  10628. 1Ch 9:12 naAdhaya mwanakomana waJehoramu mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya, naMahasai mwanakomana waAdhiyeri mwanakomana waJahizera mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waMeshiremiti mwanakomana waImeri,
  10629. 1Ch 9:13 nehama dzavo, misoro yeimba yemadzibaba avo, churu nemazana manomwe nemakumi matanhatu, vane simba veumhare pabasa reshumiro yeimba yaMwari.
  10630. 1Ch 9:14 NekuvaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi mwanakomana waAzirikamu mwanakomana waHashabhiya wevanakomana vaMerari,
  10631. 1Ch 9:15 naBhakibhakari, Hereshi, naGarari, naMataniya mwanakomana waMika mwanakomana waZikiri mwanakomana waAsafi,
  10632. 1Ch 9:16 naObhadhiya mwanakomana waShemaya mwanakomana waGarari mwanakomana waJedhutuni, naBherekiya mwanakomana waAsa mwanakomana waErikana, aigara pamisha yevaNetofati.
  10633. 1Ch 9:17 Nevachengeti vemasuwo: Sharumu, naAkubhi, naTarimoni, naAhimani, nehama dzavo. Sharumu waiva musoro.
  10634. 1Ch 9:18 Uye kusvika panguva iyi vaiva pasuwo ramambo kumabvazuva; ava vaiva vachengeti vemasuwo pamisasa yevana vaRevhi.
  10635. 1Ch 9:19 Uye Sharumu mwanakomana waKore, mwanakomana waEbhiyasafi, mwanakomana waKora, nehama dzake, veimba yababa vake, VaKora, vaiva pamusoro pebasa reshumiro, vachengeti vemasuwo etende; nemadzibaba avo, pamusoro pehondo yaJehovha, vaiva vachengeti vemukova.
  10636. 1Ch 9:20 NaPinehasi mwanakomana waEriazari aiva mutungamiriri pamusoro pavo pakutanga; Jehovha akava naye.
  10637. 1Ch 9:21 Zekariya mwanakomana waMesheremiya waiva muchengeti wesuwo pamukova wetende rekusangana.
  10638. 1Ch 9:22 Ava vose vakasarudzwa vakava vachengeti vemasuwo pamikova vaiva mazana maviri negumi nevaviri. Ava vakaverengwa nemarudzi pamisha yavo, avo Dhavhidhi naSamueri muoni vavakagadza pamabasa avakatarirwa.
  10639. 1Ch 9:23 Naizvozvo ivo nevana vavo vaichengetedza masuwo eimba yaJehovha, paimba yetende, nenguva dzekurinda.
  10640. 1Ch 9:24 Vachengeti vemasuwo vaivapo pamhepo ina, kumabvazuva, kumavirira, kumaodzanyemba, nekuchamhembe.
  10641. 1Ch 9:25 Nehama dzavo pamisha yavo vaifanira kuuya nemazuva manomwe nguva nenguva pamwe navo.
  10642. 1Ch 9:26 Nokuti vaRevhi ava, vachengeti vemasuwo vakuru vana, vaiva pabasa rakatarwa, vaiva vakatarira makamuri nezvivigiro zvefuma zveimba yaMwari.
  10643. 1Ch 9:27 Zvino vaigara usiku vakapoteredza imba yaMwari, nokuti ngava raiva pamusoro pavo, uye vaiva vatariri vekuvhurwa, nemangwanani oga-oga.
  10644. 1Ch 9:28 Zvino vamwe vavo vaitarira midziyo yeshumiro, nokuti neuwandu vaivapinza uye neuwandu vaivabudisa.
  10645. 1Ch 9:29 Vamwe vavowo vaiva vakagadzwa pamusoro pemidziyo, nepamusoro pemidziyo yose yenzvimbo tsvene, nepamusoro peupfu hwakatsetseka, newaini, nemafuta, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nezvibikiso zvinonhuhwira.
  10646. 1Ch 9:30 Vamwezve vevanakomana vevapristi vaisanganisa musanganiswa wezvibikiso zvinonhuhwira.
  10647. 1Ch 9:31 NaMatitia kuvaRevhi, waiva dangwe raSharumu, muKora, waiva pautariri hwakagadzwa pamusoro pezvibhekewa mumakango.
  10648. 1Ch 9:32 Nekuhama dzavo, vevana vevaKora, vaitarira chingwa chekuratidza, kuzvigadzira sabata nesabata.
  10649. 1Ch 9:33 Uye ava vaimbi, misoro yemadzibaba evaRevhi, mumakamuri vakasununguka; nokuti masikati neusiku zvaiva pamusoro pavo kuva pabasa.
  10650. 1Ch 9:34 Ava misoro yemadzibaba evaRevhi, misoro mumazera avo. Ava vakagara paJerusarema.
  10651. 1Ch 9:35 Zvino paGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, Jeyieri; uye zita remukadzi wake raiva Mahaka.
  10652. 1Ch 9:36 Nemwanakomana wake dangwe Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNeri, naNadhabhi,
  10653. 1Ch 9:37 naGedhori, naAhiyo, naZekariya, naMikiroti.
  10654. 1Ch 9:38 Mikiroti ndokubereka Shimeamu. Ivo vakagarawo pamwe nehama dzavo paJerusarema, pakatarisana nehama dzavo.
  10655. 1Ch 9:39 Neri ndokubereka Kishi, Kishi ndokubereka Sauro, Sauro ndokubereka Jonatani naMariki-Shua naAbhinadhabhu naEshibhaari.
  10656. 1Ch 9:40 Zvino mwanakomana waJonatani waiva Meribhi-Bhaari. Meribhi-bhaari ndokubereka Mika.
  10657. 1Ch 9:41 Nevanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTahireya.
  10658. 1Ch 9:42 Ahazi ndokubereka Jara; Jara ndokubereka Arimeti naAzimavheti naZimiri; Zimiri ndokubereka Moza;
  10659. 1Ch 9:43 Moza ndokubereka Bhineya, naRefaya mwanakomana wake, Ereyasa mwanakomana wake, Azeri mwanakomana wake.
  10660. 1Ch 9:44 Uye Azeri waiva nevanakomana vatanhatu; uye awa mazita avo: Azirikamu, Bhokeru, naIshimaeri, naSheariya, naObhadhiya, naHanani. Ava vanakomana vaAzeri.
  10661. 1Ch 10:1 Zvino vaFirisitia vakarwisa Israeri; varume vaIsraeri ndokutiza kubva pamberi pevaFirisitia, ndokuwa vaurawa pagomo reGiribhoa.
  10662. 1Ch 10:2 Zvino vaFirisitia vakanamatira shure kwaSauro uye shure kwevanakomana vake; vaFirisitia ndokuuraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMariki-Shua, vanakomana vaSauro.
  10663. 1Ch 10:3 Zvino hondo yakava yakarema kuna Sauro uye vapfuri veuta vakamuwana; zvino akakuvadzwa nevapfuri.
  10664. 1Ch 10:4 Zvino Sauro wakati kumutakuri wezvombo zvake: Vhomora munondo wako ugondibaya nawo, zvimwe ava vasina kudzingiswa vangasvika vakandidadira. Asi mutakuri wezvombo zvake haana kuda, nokuti wakatya zvikuru. Naizvozvo Sauro wakatora munondo, ndokuwira pamusoro pawo.
  10665. 1Ch 10:5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro wafa, naiye wakawira pamusoro pemunondo, ndokufa.
  10666. 1Ch 10:6 Sauro ndokufa nevanakomana vake vatatu; neimba yake yose vakafa pamwe chete.
  10667. 1Ch 10:7 Varume vose vaIsraeri vaiva pamupata pavakaona kuti vatiza, uye kuti Sauro nevanakomana vake vafa, vakasiya maguta avo ndokutiza; vaFirisitia vakasvika ndokugara maari.
  10668. 1Ch 10:8 Zvino zvakaitika chifume kuti vaFirisitia vakasvika kutakanura vakaurawa, ndokuwana Sauro nevanakomana vake vakawa pagomo reGiribhoa.
  10669. 1Ch 10:9 Vakati vamutakanura, vakatora musoro wake nezvombo zvake, ndokutumira kunyika yevaFirisitia kumativi ose, kunodanidzira shoko kuzvifananidzo zvavo nekuvanhu.
  10670. 1Ch 10:10 Zvino vakaisa zvombo zvake muimba yavamwari vavo, nedehenya rake vakarinamatidza mumba maDhagoni.
  10671. 1Ch 10:11 Jabheshi-Giriyadhi rose rakati ranzwa zvose vaFirisitia zvavakaita kuna Sauro,
  10672. 1Ch 10:12 vakasimuka varume vose veumhare ndokutakura chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake, ndokuzviuisa kuJabheshi, ndokuviga mapfupa avo pasi pemuoki muJabheshi, ndokutsanya mazuva manomwe.
  10673. 1Ch 10:13 Naizvozvo Sauro wakafa nekuda kwechitadzo chake chaakadarikira Jehovha, kupikisa shoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nekubvunza kusvikiro, kutsvaka kwariri,
  10674. 1Ch 10:14 uye haana kubvunza kuna Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, ndokushandurira ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.
  10675. 1Ch 11:1 Zvino Israeri wose wakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, achiti: Tarirai, isu tiri pfupa renyu nenyama yenyu.
  10676. 1Ch 11:2 Nazuro namarimwezuro, kunyange Sauro aiva mambo, imwi ndimwi maibudisa nekupinza Israeri; uye Jehovha Mwari wenyu wakati kwamuri: Iwe uchafudza vanhu vangu Israeri, uye iwe uchava mutongi pamusoro pevanhu vangu Israeri.
  10677. 1Ch 11:3 Zvino kwakasvika vakuru vose vaIsraeri kuna mambo paHebhuroni; Dhavhidhi ndokuita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo ndokuzodza Dhavhidhi kuva mambo pamusoro paIsraeri, zvichienderana neshoko raJehovha neruoko rwaSamueri.
  10678. 1Ch 11:4 Zvino Dhavhidhi naIsraeri wose vakaenda kuJerusarema, rinova Jebhusi; nokuti ipapo kwaiva nevaJebhusi, vagari venyika iyo.
  10679. 1Ch 11:5 Zvino vagari veJebhusi vakati kuna Dhavhidhi: Haungapindi pano. Asi Dhavhidhi wakatapa nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
  10680. 1Ch 11:6 Dhavhidhi ndokuti: Ani nani anotanga kurova vaJebhusi achava musoro nemukuru. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya wakatanga ndokukwira, ndokuva musoro.
  10681. 1Ch 11:7 Zvino Dhavhidhi wakagara munhare; naizvozvo vakaritumidza kuti guta raDhavhidhi.
  10682. 1Ch 11:8 Zvino wakavaka guta kupoteredza, kubva paMiro kusvika aripoteredza; Joabhu ndokuvandudza zvakasara zveguta.
  10683. 1Ch 11:9 Dhavhidhi ndokuenda, achienderera achikura, nokuti Jehovha wehondo waiva naye.
  10684. 1Ch 11:10 Zvino ava misoro yevane simba Dhavhidhi vaaiva navo, vaizvisimbisa pamwe naye paumambo hwake, naIsraeri wose, kumuita mambo, zvichienderana neshoko raJehovha maererano naIsraeri.
  10685. 1Ch 11:11 Ndihwo uwandu hwevane simba Dhavhidhi vaaiva navo: Jashobheyami mwanakomana wemuHakimoni, musoro wevane makumi matatu; iye wakamutsira pfumo rake vane mazana matatu, akauraya nenguva imwe.
  10686. 1Ch 11:12 Zvino shure kwake kwakava naEriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, waiva wevatatu vaiva nesimba.
  10687. 1Ch 11:13 Iye waiva naDhavhidhi paPasi-Dhamini; uye ipapo vaFirisitia vaiva vaunganira kurwa, uye ndima yemunda yaiva izere nebhari; vanhu ndokutiza pamberi pevaFirisitia.
  10688. 1Ch 11:14 Ivo ndokuzvimisa pakati pendima, ndokuisunungura, ndokuuraya vaFirisitia; Jehovha ndokuponesa nekusunungura kukuru.
  10689. 1Ch 11:15 Zvino vatatu vevakuru makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yevaFirisitia yaiva yadzika matende pamupata wevaRefaimu.
  10690. 1Ch 11:16 Zvino panguva iyo Dhavhidhi waiva munhare, uye boka revarwi vevaFirisitia raiva paBheterehemu panguva iyo.
  10691. 1Ch 11:17 Dhavhidhi wakapanga, ndokuti: Dai umwe andipa ndinwe mvura kubva mutsime reBheterehemu riri pasuwo!
  10692. 1Ch 11:18 Zvino vatatu ava vakapaza nemukati memusasa wevaFirisitia, ndokuchera mvura kubva mutsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakatora, ndokuuisa kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi haana kuda kuinwa, asi wakaidururira kuna Jehovha,
  10693. 1Ch 11:19 ndokuti: Ngazvive kure neni, naMwari wangu, kuti ndiite chinhu ichi! Ndinganwa ropa revarume ava vakaisa upenyu hwavo panjodzi, nokuti neupenyu hwavo vauya nayo; naizvozvo haana kuda kuinwa. Zvinhu izvi vakazviita vane simba vatatu ava.
  10694. 1Ch 11:20 NaAbhishai munin’ina waJoabhu, iye waiva musoro wevatatu avo, nekuda kwekumutsira kwake pfumo rake kumazana matatu, wakavauraya; ndokuva nezita pakati pevatatu.
  10695. 1Ch 11:21 Pavatatu waikudzwa nevaviri, ndokuva mutungamiriri wavo; asi haana kunanavira kuvatatu vekutanga.
  10696. 1Ch 11:22 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, waiva mukuru pazviito. Iye wakarova vekwaMoabhu vaviri vakaita seshumba, akaburukawo ndokuuraya shumba mukati megomba nezuva remagada echando.
  10697. 1Ch 11:23 Akaurayawo muEgipita, murume murefu, wemakubhiti mashanu; uye muruoko rwemuEgipita uyu maiva nepfumo rakaita sedanda remuruki; asi iye wakaburukira kwaari netsvimbo, ndokubvuta pfumo kubva muruoko rwemuEgipita, ndokumuuraya nepfumo rake pachake.
  10698. 1Ch 11:24 Izvi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wakaita, ndokuva nezita pakati pevatatu vane simba.
  10699. 1Ch 11:25 Tarirai, wakakudzwa pakati pemakumi matatu, asi haana kunanavira kuvatatu vekutanga. Dhavhidhi ndokumuisa pamusoro pevachengetedzi vake.
  10700. 1Ch 11:26 Nemhare dzehondo: Asaheri munin’ina waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu,
  10701. 1Ch 11:27 Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,
  10702. 1Ch 11:28 Ira mwanakomana waIkeshi muTekowa, Abhi-Ezeri muAnatoti,
  10703. 1Ch 11:29 Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,
  10704. 1Ch 11:30 Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhahana muNetofati,
  10705. 1Ch 11:31 Itai mwanakomana waRibhayi weGibhiya revana vaBhenjamini, Bhenaya muPiratoni,
  10706. 1Ch 11:32 Hurai wehova dzeGaashi, Abhieri muAribhati,
  10707. 1Ch 11:33 Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni,
  10708. 1Ch 11:34 vanakomana vaHashemu muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari,
  10709. 1Ch 11:35 Ahiamu mwanakomana waSakari muHarari, Erifari mwanakomana waUri,
  10710. 1Ch 11:36 Heferi muMekerati, Ahiya muPeroni,
  10711. 1Ch 11:37 naHeziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhayi,
  10712. 1Ch 11:38 Joweri munin’ina waNatani, Mibhari mwanakomana waHagiri,
  10713. 1Ch 11:39 Zereki muAmoni, Naharai muBheroti, mutakuri wezvombo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya,
  10714. 1Ch 11:40 Ira muItiri, Garebhu muItiri,
  10715. 1Ch 11:41 Uriya muHiti, Zabhadhi mwanakomana waAherayi,
  10716. 1Ch 11:42 Adhina mwanakomana waShiza muRubheni, musoro wevaRubheni, uye vane makumi matatu vanaye,
  10717. 1Ch 11:43 Hanani mwanakomana waMahaka, naJoshafati muMitini,
  10718. 1Ch 11:44 Uziya muAshiterati, Shama naJeyieri vanakomana vaHotamu muAroeri,
  10719. 1Ch 11:45 Jedhiyaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munin’ina wake muTizi,
  10720. 1Ch 11:46 Erieri muMahavhi, naJeribhayi naJoshavhiya vanakomana vaErinahamu, naItima muMoabhu,
  10721. 1Ch 11:47 naErieri, naObhedhi, naJahasieri muMezobha.
  10722. 1Ch 12:1 Zvino ava ndivo vakauya kuna Dhavhidhi kuZikiragi, achakavharirwa nekuda kwaSauro mwanakomana waKishi. Uye vaiva pakati pevarume vane simba, vabatsiri vehondo,
  10723. 1Ch 12:2 vakashonga zvombo neuta, vaishandisa rudyi neruboshwe pamabwe uye pamiseve kubva muuta, pahama dzaSauro vekwaBhenjamini.
  10724. 1Ch 12:3 Musoro waiva Ahiyezeri, naJoashi, vanakomana vaShemaha muGibhiya; naJezieri, naPereti, vanakomana vaAzimavheti; naBheraka, naJehu muAnatoti;
  10725. 1Ch 12:4 naIshimaya muGibhiyoni, murume ane simba pakati pemakumi matatu, uye ari pamusoro pemakumi matatu; naJeremiya, naJahaziyeri, naJohwanani, naJozabhadhi muGedherati;
  10726. 1Ch 12:5 Eruzai, naJerimoti, naBheyariya, naShemariya, naShefatiya muHarufi;
  10727. 1Ch 12:6 Erikana, naIshiya, naAzareri, naJowezeri, naJashobheyami, VaKora;
  10728. 1Ch 12:7 naJoera, naZebhadhia, vanakomana vaJerohamu weGedhori.
  10729. 1Ch 12:8 Zvino kuvaGadhi vakazvitsaura kuna Dhavhidhi kunhare kurenje, varume vane simba veumhare, varume vehondo vekurwa, vabata nhovo nepfumo; nezviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vakaita semharapara pamakomo pakumhanya.
  10730. 1Ch 12:9 Ezeri waiva musoro, Obhadhiya wepiri, Eriabhu wetatu,
  10731. 1Ch 12:10 Misimana wechina, Jeremiya weshanu,
  10732. 1Ch 12:11 Atai wetanhatu, Erieri wechinomwe,
  10733. 1Ch 12:12 Johwanani werusere, Erizabhadhi wepfumbamwe,
  10734. 1Ch 12:13 Jeremiya wegumi, Makibhanai wegumi neumwe.
  10735. 1Ch 12:14 Ava vaiva vevana vaGadhi, misoro yehondo, umwe wevadiki waiva pamusoro pezana, uye mukuru pamusoro pechuru.
  10736. 1Ch 12:15 Ava ndivo vakayambuka Joridhani pamwedzi wekutanga, parwakafashamira kunhivi dzarwo dzose; vakatizisa vose vaiva pamipata, chekumabvazuva nechekumavirira.
  10737. 1Ch 12:16 Zvino kwakauya vakabva kuvana vaBhenjamini naJudha kuenda kunhare kuna Dhavhidhi.
  10738. 1Ch 12:17 Zvino Dhavhidhi wakabuda kuvachingamidza, ndokupindura ndokuti kwavari: Kana muchiuya kwandiri nerugare kuzondibatsira, moyo wangu uchabatanidzwa nemwi; asi kana kuri kunditengesa kuvavengi vangu, zvandisina chakaipa mumaoko angu, Mwari wemadzibaba edu ngaaone, atsiure.
  10739. 1Ch 12:18 Zvino mweya wakafukidza Amasayi musoro wevakuru, ndokuti: Tiri venyu, Dhavhidhi, uye tiri pamwe nemwi, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemwi, uye rugare kuvabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai. Dhavhidhi ndokuvagamuchira, ndokuvaisa kuvakuru veboka.
  10740. 1Ch 12:19 VekwaManasewo vakawira kuna Dhavhidhi pakusvika kwake nevaFirisitia kunorwisa Sauro pahondo, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe evaFirisitia akamudzinga nezano vachiti: Nemisoro yedu achawa kuna tenzi wake Sauro.
  10741. 1Ch 12:20 Pakuenda kwake kuZikiragi, kwakawira kwaari vaibva kwaManase: Adhina, naJozabhadhi, naJedhiayeri, naMikayeri, naJozabhadhi, naErihu, naZiretai, misoro yezvuru vaiva vekwaManase.
  10742. 1Ch 12:21 Zvino ava vakabatsira pamwe naDhavhidhi kurwisa hondo yakarongwa; nokuti vose vaiva varume vane simba veumhare, uye vaiva vakuru pahondo.
  10743. 1Ch 12:22 Nokuti nenguva zuva nezuva vaiuya kuna Dhavhidhi kuzomubatsira, kusvika yava hondo huru, sehondo yaMwari.
  10744. 1Ch 12:23 Zvino uhu uwandu hwemisoro yaiva yakashongera hondo, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, kutendeusira ushe hwaSauro kwaari, zvichienderana nemuromo waJehovha.
  10745. 1Ch 12:24 Vana vaJudha, vakatakura nhovo nepfumo, vaiva zvuru zvitanhatu nemazana masere, vakashonga zvombo zvehondo.
  10746. 1Ch 12:25 Kuvana vaSimioni varume vane simba veumhare vehondo, zvuru zvinomwe nezana.
  10747. 1Ch 12:26 Kuvana vaRevhi, zvuru zvina nemazana matanhatu.
  10748. 1Ch 12:27 NaJehoyadha waiva mutungamiriri wevaAroni; uye pamwe naye kwaiva nezvuru zvitatu nemazana manomwe.
  10749. 1Ch 12:28 NaZadhoki, jaya raiva nesimba reumhare, neveimba yababa vake, vakuru makumi maviri nevaviri.
  10750. 1Ch 12:29 Nekuvana vaBhenjamini, hama dzaSauro, zvuru zvitatu; nokuti kusvika panguva iyo vazhinji vavo vakachengetedza kutendeka kuimba yaSauro.
  10751. 1Ch 12:30 Nekuvana vaEfuremu zvuru makumi maviri nemazana masere, varume vane simba veumhare, varume vane mazita muimba yemadzibaba avo.
  10752. 1Ch 12:31 Nepahafu yerudzi rwaManase, zvuru gumi nezvisere, vaiva vakataurwa nemazita, kuti vauye kuzoita Dhavhidhi mambo.
  10753. 1Ch 12:32 Nepavana vaIsasikari, vaiziva kunzwisisa zvenguva, kuziva Israeri zvaanofanira kuita, misoro yavo yaiva mazana maviri; uye hama dzavo dzose dzaiva pakurairwa navo.
  10754. 1Ch 12:33 KwaZebhuruni, vaibudira kuhondo, vachirongedzera hondo nezvombo zvose zvehondo, zvuru makumi mashanu; uye kuchengetedza hondo yakarongwa pasina moyo miviri.
  10755. 1Ch 12:34 NekwaNafutari misoro churu, uye zvuru makumi matatu nezvinomwe pamwe navo vane nhovo nepfumo.
  10756. 1Ch 12:35 NekwaDhani vairongedza hondo, zvuru makumi maviri nezvisere nemazana matanhatu.
  10757. 1Ch 12:36 NekwaAsheri, vaibudira kuhondo, kurongedza hondo, zvuru makumi mana.
  10758. 1Ch 12:37 Uye kubva mhiri kwaJoridhani, kuvaRubheni nevaGadhi nehafu yerudzi rwaManase, vane zvombo zvose zvehondo kunorwa, zvuru zana nemakumi maviri.
  10759. 1Ch 12:38 Ava vose varume vehondo, vaichengetedza hondo dzakarongwa, vakasvika paHebhuroni nemoyo wakakwana, kuzoita Dhavhidhi mambo pamusoro paIsraeri wose; naIsraeri wose akasara waiva nemoyo umwe kuita Dhavhidhi mambo.
  10760. 1Ch 12:39 Zvino vaivapo naDhavhidhi mazuva matatu, vachidya nekunwa, nokuti hama dzavo dzaiva dzavagadzirira.
  10761. 1Ch 12:40 Uyewo avo vaiva pedo navo kusvika kwaIsasikari naZebhuruni naNafutari, vakauya nechingwa pambongoro, nepamakamera, nepamahesera, nepanzombe, zvekudya, upfu, zvingwa zvemaonde, nemasumbu emazambiringa akaoma, newaini, nemafuta, nenzombe, nemakwai, zvakawanda, nokuti kwaiva nemufaro kwaIsraeri.
  10762. 1Ch 13:1 Zvino Dhavhidhi wakarangana nemisoro yezvuru neyemazana nemutungamiriri umwe neumwe.
  10763. 1Ch 13:2 Zvino Dhavhidhi wakati kuungano yose yaIsraeri: Kana zvakanaka kwamuri, uye zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatibude titume kuhama dzedu dzakasara munyika yose yaIsraeri, nekuvapristi nevaRevhi vanavo mumaguta, mumafuro avo, kuti vaungane kwatiri.
  10764. 1Ch 13:3 Tigodzosera areka yaMwari wedu kwatiri, nokuti hatina kuitsvaka pamazuva aSauro.
  10765. 1Ch 13:4 Ungano yose ndokuti kuitwe saizvozvo; nokuti chinhu chaiva chakarurama pameso evanhu vose.
  10766. 1Ch 13:5 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza Israeri wose, kubva paShihori rweEgipita, kusvika pakupinda paHamati, kuuisa areka yaMwari kubva paKiriati-Jearimi.
  10767. 1Ch 13:6 Dhavhidhi naIsraeri wose ndokukwira kuBhahara, kuKiriati-Jearimi riri muJudha, kukwidza kubvapo areka yaMwari Jehovha, agere pamakerubhi, panodanwa zita.
  10768. 1Ch 13:7 Zvino vakatakura areka yaMwari mungoro itsva, kubva muimba yaAbhinadhabhu; uye Uza naAhio vakachaira ngoro.
  10769. 1Ch 13:8 Dhavhidhi naIsraeri wose ndokutamba pamberi paMwari nesimba rose, uye nenziyo, uye nembira, uye nemitengeranwa, uye nengoma, uye nemakandira, uye nehwamanda.
  10770. 1Ch 13:9 Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza wakatandavadza ruoko rwake kubata areka, nokuti nzombe dzaigumburwa.
  10771. 1Ch 13:10 Kutsamwa kwaJehovha ndokupfutira Uza, ndokumurova, nokuti wakatandavadzira ruoko rwake kuareka; ndokufirapo pamberi paMwari.
  10772. 1Ch 13:11 Dhavhidhi ndokutsamwa nokuti Jehovha wakapaza kuti apazire Uza; ndokutumidza nzvimbo iyo Perezi-Uza, kusvika zuva rino.
  10773. 1Ch 13:12 Zvino Dhavhidhi wakatya Mwari nezuva iro, achiti: Ndingauisa sei areka yaMwari kwandiri?
  10774. 1Ch 13:13 Naizvozvo Dhavhidhi haana kuuisa areka kwaari, kuguta raDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
  10775. 1Ch 13:14 Areka yaMwari ndokugara kune veimba yaObhedhi-Edhomu muimba yake mwedzi mitatu; Jehovha ndokuropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaaiva nazvo.
  10776. 1Ch 14:1 Zvino Hiramu mambo weTire wakatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari nevavezi vemabwe nevavezi vematanda kumuvakira imba.
  10777. 1Ch 14:2 Zvino Dhavhidhi wakaziva kuti Jehovha wakamusimbisa kuva mambo pamusoro paIsraeri, nokuti ushe hwake hwakasimudzirwa pamusoro nekuda kwevanhu vake Israeri.
  10778. 1Ch 14:3 Dhavhidhi ndokutora vamwe vakadzi paJerusarema; Dhavhidhi ndokubereka vamwe vanakomana nevanasikana.
  10779. 1Ch 14:4 Zvino awa mazita evana vaaiva navo paJerusarema: Shamua, naShobhabhi, Natani, naSoromoni,
  10780. 1Ch 14:5 naIbhari, naErishuwa, naEripereti,
  10781. 1Ch 14:6 naNoga, naNefegi, naJafiya,
  10782. 1Ch 14:7 naErishama, naBheeriyadha, naErifereti.
  10783. 1Ch 14:8 Zvino vaFirisitia vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuva mambo pamusoro paIsraeri wose, vaFirisitia vose ndokukwira kunotsvaka Dhavhidhi. Dhavhidhi ndokuzvinzwa, ndokubuda kuvarwisa.
  10784. 1Ch 14:9 Zvino vaFirisitia vakasvika ndokuzviparadzira mumupata weRefaimu.
  10785. 1Ch 14:10 Dhavhidhi ndokubvunza Jehovha, achiti: Ndokwira kurwisa vaFirisitia here? Muchavaisa muruoko rwangu here? Jehovha ndokuti kwaari: Kwira, nokuti ndichavaisa muruoko rwako.
  10786. 1Ch 14:11 Zvino vakakwira kuBhaari-Perazimi, Dhavhidhi ndokuvarovapo; Dhavhidhi ndokuti: Mwari wapazira muvavengi vangu neruoko rwangu, sekupazira kwemvura. Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaari-Perazimi.
  10787. 1Ch 14:12 Zvino vakasiya vamwari vavopo. Dhavhidhi ndokutaura kuti vapiswe nemoto.
  10788. 1Ch 14:13 VaFirisitia ndokupararirazve mumupata uyo.
  10789. 1Ch 14:14 Dhavhidhi paakabvunzazve kuna Mwari, Mwari wakati kwaari: Usakwira shure kwavo; tsauka ubve kwavari, ugouya kwavari pakatarisana nemiti yemibharisami.
  10790. 1Ch 14:15 Zvino zvichaitika pauchanzwa mutsindo wekufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo uchabudira kuhondo; nokuti Mwari anenge abuda pamberi pako kurova hondo yevaFirisitia.
  10791. 1Ch 14:16 Dhavhidhi ndokuita Mwari sezvaakamuraira. Zvino vakarova hondo yevaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvika paGezeri.
  10792. 1Ch 14:17 Mukurumbira waDhavhidhi ndokubudira kunyika dzose; Jehovha ndokuisa kutyisa kwake pamusoro pemarudzi ose.
  10793. 1Ch 15:1 Zvino [Dhavhidhi] wakazviitira dzimba muguta raDhavhidhi; ndokugadzirira nzvimbo yeareka yaMwari, ndokuidzikira tende.
  10794. 1Ch 15:2 Ipapo Dhavhidhi wakati: Hakuna anofanira kutakura areka yaMwari kunze kwevaRevhi; nokuti ndivo Jehovha vaakasarudza kutakura areka yaJehovha, nekumushumira kusvika rinhi narinhi.
  10795. 1Ch 15:3 Dhavhidhi ndokuunganidza Israeri wose paJerusarema, kukwidza areka yaJehovha kunzvimbo yayo yaaiva aigadzirira.
  10796. 1Ch 15:4 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza vanakomana vaAroni nevaRevhi.
  10797. 1Ch 15:5 Kuvanakomana vaKohati: Urieri mukuru, nehama dzake zana nemakumi maviri.
  10798. 1Ch 15:6 Kuvanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake mazana maviri nemakumi maviri.
  10799. 1Ch 15:7 Kuvanakomana vaGerishomu: Joweri mukuru, nehama dzake zana nemakumi matatu.
  10800. 1Ch 15:8 Kuvanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake mazana maviri.
  10801. 1Ch 15:9 Kuvanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake makumi masere.
  10802. 1Ch 15:10 Kuvanakomana vaUziyeri: Aminadhabhu mukuru, nehama dzake zana negumi nevaviri.
  10803. 1Ch 15:11 Zvino Dhavhidhi wakadana Zadhoki naAbhiyatari vapristi, nevaRevhi: Urieri, Asaya, naJoweri, Shemaya, naErieri, naAminadhabhu;
  10804. 1Ch 15:12 ndokuti kwavari: Ndimwi misoro yemadzibaba yevaRevhi; zviitei vatsvene, imwi nehama dzenyu, kuti mukwidze areka yaJehovha Mwari waIsraeri, kwandakaigadzirira.
  10805. 1Ch 15:13 Nokuti maiva musipo pakutanga, Jehovha Mwari wedu akapazira kwatiri. Nokuti hatina kumutsvaka sezvakamiswa.
  10806. 1Ch 15:14 Naizvozvo vapristi nevaRevhi vakazviita vatsvene, kukwidza areka yaJehovha Mwari waIsraeri.
  10807. 1Ch 15:15 Vana vevaRevhi ndokutakura areka yaMwari pamafudzi avo nezvibatiso zvaivapo, Mozisi sezvaakaraira zvichienderana neshoko raJehovha.
  10808. 1Ch 15:16 Zvino Dhavhidhi wakataura kumisoro yevaRevhi, kuti vagadze hama dzavo, vane nhumbi dzekuimba, mitengeranwa, nembira, nemakandira, vachiridza, nekusimudza inzwi nemufaro.
  10809. 1Ch 15:17 Naizvozvo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoweri, nepahama dzake, Asafi mwanakomana waBherekiya; nepavanakomana vaMerari hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya;
  10810. 1Ch 15:18 uye pamwe navo hama dzavo dzeboka rechipiri: Zekariya, Bheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehiyeri, naUni, Eriabhu, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyiyeri, vachengeti vemasuwo.
  10811. 1Ch 15:19 Zvino vaimbi, Hemani, Asafi, naEtani, vakagadzwa kuridza nemakandira endarira;
  10812. 1Ch 15:20 naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehiyeri, naUni, naEriabhu, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengeranwa paAramoti;
  10813. 1Ch 15:21 naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyiyeri, naAzaziya, vane mbira paSheminiti kutungamirira.
  10814. 1Ch 15:22 NaKenaniya musoro wevaRevhi pamutoro; waidzidzisa zvekuimba, nokuti waiva nyanzvi.
  10815. 1Ch 15:23 NaBherekia naErikana, vachengeti vemikova yeareka.
  10816. 1Ch 15:24 NaShebhania, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapristi, vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; uye Obhedhi-Edhomu naJehiya vaiva vatariri vemikova yeareka.
  10817. 1Ch 15:25 Zvino kwakati Dhavhidhi nevakuru vaIsraeri nemisoro yezvuru vaenda kunokwidza areka yesungano yaJehovha kubva muimba yaObhedhi-Edhomu nemufaro.
  10818. 1Ch 15:26 Ndokuitika nekuda kwekubatsira kwaMwari vaRevhi vaiva vakatakura areka yesungano yaJehovha, kuti vakabaira nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe.
  10819. 1Ch 15:27 Zvino Dhavhidhi waiva akapfeka nguvo yemucheka wakaisvonaka, nevaRevhi vose vaiva vakatakura areka, nevaimbi, naKenaniya mukuru wemutoro wevaimbi; uye pana Dhavhidhi paiva neefodhi yemucheka.
  10820. 1Ch 15:28 Naizvozvo Israeri wose wakakwidza areka yesungano yaJehovha nekupururudza, uye neinzwi renyanga dzemakondobwe, uye nehwamanda, uye nemakandira, vachiita ruzha nemitengeranwa nembira.
  10821. 1Ch 15:29 Zvino zvakaitika, areka yesungano yaJehovha payakasvika muguta raDhavhidhi, kuti Mikayeri mukunda waSauro wakatarira nepahwindo wakaona mambo Dhavhidhi achipembera nekutamba; akamuzvidza mumoyo make.
  10822. 1Ch 16:1 Zvino vakapinza areka yaMwari, ndokuiisa pakati petende Dhavhidhi raaiva awaridzira. Zvino vakapa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa pamberi paMwari.
  10823. 1Ch 16:2 Dhavhidhi wakati aguma kupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa, wakaropafadza vanhu muzita raJehovha.
  10824. 1Ch 16:3 Ndokugovera umwe neumwe waIsraeri, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kune umwe neumwe rofu rechingwa, nenhindi yenyama, nechingwa chezvibereko zvemuzambiringa zvakaomeswa.
  10825. 1Ch 16:4 Zvino wakagadza vashumiri vevaRevhi, pamberi peareka yaJehovha, nekurangarira nekuvonga nekukudza Jehovha Mwari waIsraeri:
  10826. 1Ch 16:5 Asafi musoro, uye wepiri kwaari Zekariya, Jeiyeri, naShemiramoti, naJehiyeri, naMatitia, naEriabhu, naBhenaya, naObhedhi-Edhomu, naJeiyeri, vane mitengeranwa uye vane mbira; Asafi ndokuridza nemakandira.
  10827. 1Ch 16:6 Zvino Bhenaya naJahazieri vapristi vairidza nehwamanda rinhi narinhi pamberi peareka yesungano yaMwari.
  10828. 1Ch 16:7 Nezuva iro ipapo Dhavhidhi wakapa kekutanga pisarema iri kuvonga Jehovha neruoko rwaAsafi nehama dzake:
  10829. 1Ch 16:8 Vongai Jehovha; danai zita rake; zivisai zviito zvake pakati pevanhu.
  10830. 1Ch 16:9 Muimbirei, mumuimbire mapisarema; rondedzerai pamusoro pemabasa ake ose anoshamisa.
  10831. 1Ch 16:10 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; ngaifare moyo yevanotsvaka Jehovha.
  10832. 1Ch 16:11 Tsvakai Jehovha nesimba rake; tsvakai chiso chake rinhi narinhi.
  10833. 1Ch 16:12 Rangarirai zvishamiso zvake zvaakaita, zviratidzo zvake, nemitongo yemuromo wake;
  10834. 1Ch 16:13 imwi mbeu yaIsraeri, muranda wake, imwi vana vaJakove vasanangurwa vake.
  10835. 1Ch 16:14 Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri pasi pose.
  10836. 1Ch 16:15 Rangarirai sungano yake nekusingaperi, shoko raakaraira kumarudzi churu;
  10837. 1Ch 16:16 yaakaita naAbhurahama, nemhiko yake kuna Isaka;
  10838. 1Ch 16:17 uye wakazvisimbisira Jakove kuva mutemo, kuna Israeri kuva sungano yekusingaperi;
  10839. 1Ch 16:18 achiti: Ndichapa kwauri nyika yeKenani, mujenya wenhaka yenyu;
  10840. 1Ch 16:19 pamaiva vashoma pauwandu, hongu muri vashoma, uye muri vatorwa mairi.
  10841. 1Ch 16:20 Zvino vakafamba-famba kubva kurudzi kuenda kurudzi, uye kubva kuushe kuenda kune rumwe rudzi.
  10842. 1Ch 16:21 Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; zvirokwazvo wakatsiura madzimambo nekuda kwavo;
  10843. 1Ch 16:22 achiti: Musabata vazodzwa vangu, uye musatadzira vaporofita vangu.
  10844. 1Ch 16:23 Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzirai ruponeso rwake zuva nezuva;
  10845. 1Ch 16:24 rondedzerai kubwinya kwake pakati pevahedheni, mabasa ake anoshamisa pakati pemarudzi ose.
  10846. 1Ch 16:25 Nokuti mukuru Jehovha, uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; iye anotyisa kupfuura vamwari vose.
  10847. 1Ch 16:26 Nokuti vamwari vose vemarudzi zvifananidzo; asi Jehovha wakaita matenga.
  10848. 1Ch 16:27 Rukudzo nekubwinya zviri pamberi pake; simba nemufaro zviri panzvimbo yake.
  10849. 1Ch 16:28 Ipai Jehovha, imwi mhuri dzemarudzi, ipai Jehovha rukudzo nesimba.
  10850. 1Ch 16:29 Ipai Jehovha rukudzo rwezita rake; uisai chipo, uyai pamberi pake; namatai kuna Jehovha pakunaka kweutsvene.
  10851. 1Ch 16:30 Dedera pamberi pake, nyika yose; uye nyika yakasimbiswa, haingazungunuswi.
  10852. 1Ch 16:31 Matenga ngaafare, nenyika ngaipembere; nepakati pendudzi ngavati: Jehovha anotonga.
  10853. 1Ch 16:32 Gungwa ngaritinhire, nekuzara kwaro; sango ngarifare, nezvose zviri mariri.
  10854. 1Ch 16:33 Ipapo miti yesango ichaimba nemufaro pamberi paJehovha; nokuti anouya kuzotonga nyika.
  10855. 1Ch 16:34 Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dziripo nekusingaperi.
  10856. 1Ch 16:35 Zvino muti: Tiponesei, Mwari weruponeso rwedu, uye mutiunganidze, mutisunungure pamarudzi, kuti tivonge zita renyu dzvene, kuti tizvikudze nerumbidzo yenyu.
  10857. 1Ch 16:36 Ngaakudzwe Jehovha Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi. Vanhu vose ndokuti: Ameni; ndokurumbidza Jehovha.
  10858. 1Ch 16:37 Zvino wakasiyapo pamberi peareka yesungano yaJehovha Asafi nehama dzake, kuti vashumire pamberi peareka rinhi narinhi zvenyaya yezuva pazuva rayo.
  10859. 1Ch 16:38 NaObhedhi-Edhomu pamwe nehama dzavo, makumi matanhatu nevasere; naObhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni, naHosa, vave vachengeti vemasuwo;
  10860. 1Ch 16:39 naZadhoki mupristi, nehama dzake vapristi, pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira yaiva paGibhiyoni;
  10861. 1Ch 16:40 kuti vape Jehovha zvipo zvinopiswa rinhi narinhi mangwanani nemadekwani paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nepazvose zvakanyorwa mumurairo waJehovha waakaraira Israeri;
  10862. 1Ch 16:41 uye pamwe navo Hemani naJedhutuni nevamwe vaiva vasarudzwa, vakarehwa nemazita kuvonga Jehovha; nokuti nyasha dzake dziripo nekusingaperi;
  10863. 1Ch 16:42 uye pamwe navo Hemani naJedhutuni nehwamanda nemakandira zveavo vanozviridza, nemidziyo yekuimba zvaMwari; uye vanakomana vaJedhutuni vaiva pasuwo.
  10864. 1Ch 16:43 Vanhu vose ndokuenda umwe neumwe kumba kwake; Dhavhidhi ndokudzoka kuzoropafadza imba yake.
  10865. 1Ch 17:1 Zvino zvakaitika Dhavhidhi agere muimba yake, kuti Dhavhidhi wakati kuna Natani muporofita: Tarira, ini ndigere muimba yemisidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi pemaketeni.
  10866. 1Ch 17:2 Natani ndokuti kuna Dhavhidhi: Itai zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Mwari anemwi.
  10867. 1Ch 17:3 Zvino zvakaitika pausiku ihwohwo, kuti shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti:
  10868. 1Ch 17:4 Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Iwe haungandivakiri imba yekugara;
  10869. 1Ch 17:5 nokuti handina kugara muimba kubva pazuva randakakwidza naro Israeri kusvika zuva rino; asi ndakabva patende kuenda patende, nekubva patabhenakeri kusvika patabhenakeri.
  10870. 1Ch 17:6 Kupi nekupi kwandakafamba naIsraeri wose, ndakataura here shoko kune umwe wevatongi vaIsraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu, ndichiti: Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?
  10871. 1Ch 17:7 Naizvozvo zvino, uchareva seizvi kumuranda wangu, kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha wehondo: Ini ndakakutora kudanga remakwai, kubva pakutevera makwai, kuti uve mutongi pamusoro pevanhu vangu Israeri.
  10872. 1Ch 17:8 Uye ndakava newe pose pawakafamba, ndikaparadzawo vavengi vako vose kubva pamberi pako; uye ndakakuitira zita sezita revakuru vari panyika.
  10873. 1Ch 17:9 Ndichagadzirirawo vanhu vangu Israeri nzvimbo, uye ndichavasima vagogara panzvimbo yavo, uye havangazungunuswizve; uye vana vechakaipa havangavapedzizve sepakutanga,
  10874. 1Ch 17:10 nekubva pamazuva andakagadza vatongi pamusoro pevanhu vangu Israeri; uye ndichawisira pasi vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba.
  10875. 1Ch 17:11 Zvino zvichaitika pachazadzisika mazuva ako kuti uchaenda nemadzibaba ako, kuti ndichamutsa mbeu yako shure kwako, ichabva kuvanakomana vako, ndigosimbisa ushe hwake.
  10876. 1Ch 17:12 Iye achandivakira imba; uye ndichasimbisa chigaro chake cheushe rinhi narinhi.
  10877. 1Ch 17:13 Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; uye handingabvisi ngoni dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye waiva mberi kwako.
  10878. 1Ch 17:14 Asi ndichamusimbisa muimba yangu nemuushe hwangu nekusingaperi; uye chigaro chake cheushe chichasimbiswa rinhi narinhi.
  10879. 1Ch 17:15 Zvichienderana nemashoko awa ose, uye zvichienderana nechiratidzo ichi chose, saizvozvo Natani wakataura kuna Dhavhidhi.
  10880. 1Ch 17:16 Dhavhidhi mambo ndokupinda ndokugara pamberi paJehovha, ndokuti: Ini ndini ani Jehovha Mwari, neimba yangu chii, kuti mundiuise kusvika pano?
  10881. 1Ch 17:17 Zvino ichi chaiva chinhu chidiki pameso enyu, Mwari, asi mataura pamusoro peimba yemuranda wenyu kuchiri kure, uye mandiona zvinoenderana nechinzvimbo chemunhu wakakwirira, Jehovha Mwari.
  10882. 1Ch 17:18 Dhavhidhi angawedzerazve kwamuri pamusoro perukudzo rwemuranda wenyu? Nokuti imwi munoziva muranda wenyu.
  10883. 1Ch 17:19 Jehovha, nekuda kwemuranda wenyu uye zvichienderana nemoyo wenyu makaita izvi zvikuru zvose, kuzivisa zvinhu izvi zvikuru zvose.
  10884. 1Ch 17:20 Jehovha, hakuna wakaita semwi, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, zvichienderana nezvose zvatanzwa nenzeve dzedu.
  10885. 1Ch 17:21 Uye ndiyani wakaita sevanhu venyu Israeri, rudzi rumwe panyika, Mwari vaakaenda kunodzikinura kuva vanhu vake, kuzviitira zita, zviito zvikuru uye zvinotyisa, nekudzinga panhaka marudzi kuabvisa pamberi pevanhu venyu vamakadzikinura kubva muEgipita?
  10886. 1Ch 17:22 Nokuti makaita kuti vanhu venyu Israeri vave vanhu venyu kusvika rinhi narinhi. Uye imwi Jehovha makava Mwari wavo.
  10887. 1Ch 17:23 Naizvozvo ikozvino Jehovha, shoko ramakataura pamusoro pemuranda wenyu nepamusoro peimba yake ngarisimbiswe kusvika rinhi narinhi, uye itai sezvamataura.
  10888. 1Ch 17:24 Zvino ngarisimbiswe, nezita renyu ngarive guru kusvika rinhi narinhi, kuchinzi: Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, ndiMwari kwaIsraeri; neimba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu.
  10889. 1Ch 17:25 Nokuti imwi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wawana kutsunga kunyengetera pamberi penyu.
  10890. 1Ch 17:26 Zvino ikozvino Jehovha, imwi ndimwi Mwari, uye mataura izvi zvakanaka pamusoro pemuranda wenyu.
  10891. 1Ch 17:27 Zvino ikozvino, zvakakufadzai kuropafadza imba yemuranda wenyu, kuti ive pamberi penyu kusvika rinhi narinhi; nokuti imwi Jehovha munoropafadza, zvino icharopafadzwa kusvika rinhi narinhi.
  10892. 1Ch 18:1 Zvino shure kweizvi zvakaitika kuti Dhavhidhi wakarova vaFirisitia ndokuvaisa pasi [pake]; ndokutora Gati nemisha yaro kubva muruoko rwevaFirisitia.
  10893. 1Ch 18:2 Zvino wakarova Moabhu; vaMoabhu ndokuva varanda vaDhavhidhi, vachiunza mutero.
  10894. 1Ch 18:3 Dhavhidhi akarovawo Hadharezeri mambo weZobha kusvika paHamati paaienda kunomisa simba rake parwizi Furati.
  10895. 1Ch 18:4 Dhavhidhi ndokumutorera ngoro churu nevatasvi vemabhiza zvuru zvinomwe, nevarume vaifamba netsoka zvuru makumi maviri; Dhavhidhi ndokugura marunda emakumbo emabhiza ose engoro, asi wakasiya kwaari mabhiza engoro zana.
  10896. 1Ch 18:5 VaSiriya veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadharezeri mambo weZobha, Dhavhidhi wakauraya varume zvuru makumi maviri nezviviri vevaSiriya.
  10897. 1Ch 18:6 Zvino Dhavhidhi wakaisa mapoka evarwi muSiriya yeDhamasiko. VaSiriya ndokuva varanda kuna Dhavhidhi, vachiuya nemutero. Naizvozvo Jehovha wakaponesa Dhavhidhi kupi nekupi kwaakaenda.
  10898. 1Ch 18:7 Dhavhidhi ndokutora nhovo dzegoridhe dzaiva pamusoro pevaranda vaHadharezeri, ndokudziuisa kuJerusarema.
  10899. 1Ch 18:8 Nekubva paTibhati nekubva paKuni, maguta aHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakaita nayo gungwa rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.
  10900. 1Ch 18:9 Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi warova hondo yose yaHadharezeri mambo weZobha,
  10901. 1Ch 18:10 wakatuma Hadhorami mwanakomana wake kuna mambo Dhavhidhi kunomubvunza upenyu nekumukorokotedza, nokuti waiva arwisa Hadharezeri ndokumurova (nokuti Hadharezeri waiva munhu wedzihondo naTou); uye ane midziyo yose yegoridhe neyesirivha neyendarira.
  10902. 1Ch 18:11 Neiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwe nesirivha negoridhe raakatora kubva kumarudzi ose: Kuna Edhomu, nekuna Moabhu, nekuvana vaAmoni, nekuvaFirisitia, nekuna Amareki.
  10903. 1Ch 18:12 Uye Abhishai mwanakomana waZeruya wakarova vaEdhomu pamupata wemunyu, zvuru gumi nezvisere.
  10904. 1Ch 18:13 Zvino wakaisa mapoka evarwi paEdhomu. VaEdhomu vose ndokuva varanda vaDhavhidhi. Jehovha ndokuponesa Dhavhidhi kupi nekupi kwaakaenda.
  10905. 1Ch 18:14 Dhavhidhi ndokutonga pamusoro paIsraeri wose; ndokuita mutongo nekururama kuvanhu vake vose.
  10906. 1Ch 18:15 Uye Joabhu mwanakomana waZeruya waiva pamusoro pehondo; naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wenhoroondo;
  10907. 1Ch 18:16 naZadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi; naShavhisha waiva munyori;
  10908. 1Ch 18:17 uye Bhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro pevaKereti nevaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva misoro padivi pamambo.
  10909. 1Ch 19:1 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Nahashi mambo wevana vaAmoni wakafa; mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  10910. 1Ch 19:2 Zvino Dhavhidhi wakati: Ndichaitira moyo wakanaka Hanuni mwanakomana waNahashi, nokuti baba vake vakandiitira moyo wakanaka. Dhavhidhi ndokutuma nhume kumunyaradza pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi ndokusvika panyika yevana vaAmoni kuna Hanuni kumunyaradza.
  10911. 1Ch 19:3 Asi machinda evana vaAmoni akati kuna Hanuni: Dhavhidhi anokudza baba venyu pameso enyu, zvaatuma vanyaradzi kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nekuputsa, nekushora nyika here?
  10912. 1Ch 19:4 Naizvozvo Hanuni wakatora varanda vaDhavhidhi, ndokuvevura, ndokugura nguvo dzavo nepakati kusvika pamagadziko, ndokuvarega vaende.
  10913. 1Ch 19:5 Zvino vakaenda vakanoudza Dhavhidhi pamusoro pevarume ava; iye ndokutuma nhume kuvachingamidza, nokuti varume vainyara kwazvo. Mambo ndokuti: Garai muJeriko kusvika ndebvu dzenyu dzamera, mugodzoka.
  10914. 1Ch 19:6 Vana vaAmoni vakati vaona kuti vava vanonhuhwa kuna Dhavhidhi, Hanuni nevana vaAmoni vakatuma matarenda churu esirivha kuzvihaira ngoro nevatasvi vemabhiza kubva kuMesopotamia nekubva kuSiriya-Mahaka nekubva kuZobha.
  10915. 1Ch 19:7 Naizvozvo vakazvihaira ngoro zvuru makumi matatu nezviviri, namambo weMahaka nevanhu vake; ivo vakasvika vakadzika matende pamberi peMedhebha. Vana vaAmoni ndokuungana vachibva kumaguta avo, ndokuuya kuhondo.
  10916. 1Ch 19:8 Zvino Dhavhidhi anzwa wakatuma Joabhu nehondo yose yevarume vane simba.
  10917. 1Ch 19:9 Vana vaAmoni ndokubuda, ndokurongedza hondo pasuwo reguta; nemadzimambo aiva auya oga pasango.
  10918. 1Ch 19:10 Joabhu akati aona kuti hondo yepamberi yaimurwisa mberi neshure, wakasarudza kubva kune vakasarudzwa vose vaIsraeri, ndokuvarongedzera kurwisa vaSiriya.
  10919. 1Ch 19:11 Zvino vakasara vevanhu wakavapa muruoko rwaAbhishai munin’ina wake; zvino vakarongedzera kurwisana nevana vaAmoni.
  10920. 1Ch 19:12 Zvino wakati: Kana vaSiriya vakandikurira, ipapo uchava ruponeso rwangu; asi kana vana vaAmoni vakakukurira, ipapo ndichakununura.
  10921. 1Ch 19:13 Tsunga moyo, tizvisimbise nekuda kwevanhu vedu uye nekuda kwemaguta aMwari wedu; naJehovha ngaaite zvakanaka pameso ake.
  10922. 1Ch 19:14 Joabhu nevanhu vaiva naye ndokuswedera pamberi pevaSiriya kuhondo; ivo ndokutiza pamberi pake.
  10923. 1Ch 19:15 Zvino vana vaAmoni vaona kuti vaSiriya vatiza, naivo vakatizawo kubva pachiso chaAbhishai munin’ina wake, ndokupinda muguta. Joabhu ndokupinda muJerusarema.
  10924. 1Ch 19:16 VaSiriya pavakaona kuti varohwa pamberi paIsraeri, vakatuma nhume, ndokubudisa vaSiriya vaiva mhiri kwerwizi, naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri pamberi pavo.
  10925. 1Ch 19:17 Zvino zvakaudzwa Dhavhidhi; akaunganidza Israeri wose, akayambuka Joridhani, akasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Dhavhidhi akati arongedza hondo pakurwisa vaSiriya, ivo vakarwa naye.
  10926. 1Ch 19:18 VaSiriya vakatiza kubva pamberi paIsraeri; Dhavhidhi akauraya pakati pevaSiriya varume vengoro dzine zvuru zvinomwe, nevarume vaifamba nemakumbo vane zvuru makumi mana; akaurayawo Shofaki mukuru wehondo.
  10927. 1Ch 19:19 Varanda vaHadharezeri vakati vachiona kuti varohwa pamberi paIsraeri vakayanana naDhavhidhi, vakamushumira; vaSiriya vakazoramba kununura vana vaAmoni.
  10928. 1Ch 20:1 Zvino zvakaitika panguva yekudzoka kwegore, panguva madzimambo yaaibuda [kunorwa], Joabhu wakatungamirira mauto esimba, ndokuparadza nyika yevana vaAmoni, ndokuuya ndokukomba Rabha. Asi Dhavhidhi akasara paJerusarema. Joabhu ndokurova Rabha, ndokuriputsa.
  10929. 1Ch 20:2 Zvino Dhavhidhi wakatora korona yamambo wavo kubva mumusoro wake, ndokuwana ichirema tarenda regoridhe, uye mairi mune ibwe rinokosha. Zvino ikava pamusoro waDhavhidhi; iye ndokubudisa zvakapambiwa zvizhinji kwazvo paguta.
  10930. 1Ch 20:3 Wakabudisawo vanhu vaiva varimo ndokucheka nesaha nembambo dzematare uye nemasanhu. Dhavhidhi akaita saizvozvowo nemaguta ose evana vaAmoni. Dhavhidhi nevanhu vose ndokudzokera kuJerusarema.
  10931. 1Ch 20:4 Zvino zvakaitika shure kweizvi, kuti kwakamuka hondo paGezeri nevaFirisitia; panguva iyo Shibhekai muHushati yaakauraya Sipai, umwe wevanakomana vaRafa; ivo ndokuwisirwa pasi.
  10932. 1Ch 20:5 Pakavazve nehondo nevaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJairi ndokurova Rahimi munin’ina waGoriati muGiti; uye mubato wepfumo rake waiva wakaita sedanda remuruki.
  10933. 1Ch 20:6 Kwakavazve nehondo paGati, paiva nemunhu murefu waiva neminwe nezvigunwe zvitanhatu zvitanhatu, makumi maviri nezvina, uyewo wakaberekwa ari muRafa.
  10934. 1Ch 20:7 Zvino ashora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimeya, munin’ina waDhavhidhi ndokumurova.
  10935. 1Ch 20:8 Ava vakaberekerwa Rafa paGati; ivo ndokuwa neruoko rwaDhavhidhi, uye neruoko rwevaranda vake.
  10936. 1Ch 21:1 Zvino Satani wakasimuka kurwisa Israeri, ndokukwezva Dhavhidhi kuti averenge Israeri.
  10937. 1Ch 21:2 Dhavhidhi ndokuti kuna Joabhu nekumachinda evanhu: Endai muverenge Israeri kubva paBheeri-Shebha kusvika paDhani; muuise kwandiri kuti ndizive uwandu hwavo.
  10938. 1Ch 21:3 Joabhu ndokuti: Jehovha ngaawedzere pavanhu vake sezvavari kakapamhidzirwa kazana. Ishe wangu mambo, vose havasi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakirei chinhu ichi? Achavirei chikonzero chechitadzo kuna Israeri?
  10939. 1Ch 21:4 Zvakadaro shoko ramambo rakava nesimba pamusoro paJoabhu. Naizvozvo Joabhu wakabuda, ndokufamba-famba pakati paIsraeri wose, ndokusvika paJerusarema.
  10940. 1Ch 21:5 Joabhu ndokupa uwandu hwekuverengwa kwevanhu kuna Dhavhidhi. Uye Israeri wose waiva nevarume zvuru churu nezvuru zana vaivhomora munondo; uye Judha waiva nevarume zvuru mazana mana nemakumi manomwe vaivhomora munondo.
  10941. 1Ch 21:6 Asi Revhi naBhenjamini haana kuvaverenga pakati pavo, nokuti shoko ramambo raiva chinyangadzo kuna Joabhu.
  10942. 1Ch 21:7 Zvino zvakava zvakaipa pameso paMwari maererano nechinhu ichi; naizvozvo wakarova Israeri.
  10943. 1Ch 21:8 Dhavhidhi ndokuti kuna Mwari: Ndatadza zvikuru, nokuti ndaita chinhu ichi. Asi ikozvino, pfuudzai henyu chitadzo chemuranda wenyu, nokuti ndaita neupenzi ukuru.
  10944. 1Ch 21:9 Zvino Jehovha wakataura kuna Gadhi, muoni waDhavhidhi, achiti:
  10945. 1Ch 21:10 Enda unotaura kuna Dhavhidhi, uchiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndinokuisira zvitatu. Zvisarudzire chimwe cheizvi ndigokuitira icho.
  10946. 1Ch 21:11 Gadhi ndokupinda kuna Dhavhidhi ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Zvisarudzire:
  10947. 1Ch 21:12 Kana makore matatu enzara, kana mwedzi mitatu kuparadzwa pamberi pevavengi vako, uye munondo wevavengi vako ukuwane, kana mazuva matatu munondo waJehovha, ndiro denda panyika, uye mutumwa waJehovha achiparadza pamiganhu yose yaIsraeri. Zvino ikozvino ona kuti imhinduroi yandinodzosera kune wandituma.
  10948. 1Ch 21:13 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Gadhi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ngandiwire hangu muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru zvikuru; asi ngandirege kuwira muruoko rwemunhu.
  10949. 1Ch 21:14 Naizvozvo Jehovha wakapa denda pana Israeri; ndokuwa varume zvuru makumi manomwe kubva kwaIsraeri.
  10950. 1Ch 21:15 Zvino Mwari wakatuma mutumwa kuJerusarema kunoriparadza. Zvino wakati onoparadza, Jehovha wakaona ndokuzvidemba pamusoro pechakaipa ichi, ndokuti kumutumwa waiparadza: Zvakwana, dzosa ikozvino ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha wakamira paburiro raOrinani muJebhusi.
  10951. 1Ch 21:16 Zvino Dhavhidhi wakasimudza meso ake ndokuona mutumwa waJehovha amire pakati penyika nematenga ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake rwakatandavadzwa pamusoro peJerusarema. Zvino Dhavhidhi nevakuru vakawira pasi nezviso zvavo, vakapfeka masaga.
  10952. 1Ch 21:17 Dhavhidhi ndokuti kuna Mwari: Handisi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Iyeni ndini ndakatadza ndikaita chakaipa zvikuru; asi makwai awa, akaitei? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngaruve harwo pamusoro pangu, nepamusoro peimba yababa vangu, asi kwete pamusoro pevanhu venyu kuti vatambudzwe.
  10953. 1Ch 21:18 Zvino mutumwa waJehovha wakataura kuna Gadhi kuti audze Dhavhidhi kuti Dhavhidhi akwire amisire Jehovha aritari paburiro raOrinani muJebhusi.
  10954. 1Ch 21:19 Zvino Dhavhidhi wakakwira neshoko raGadhi raakataura nezita raJehovha.
  10955. 1Ch 21:20 Zvino Orinani wakacheuka, ndokuona mutumwa; nevanakomana vake vana vaiva naye vakavanda. Zvino Orinani waipura gorosi.
  10956. 1Ch 21:21 Zvino Dhavhidhi wakasvika kuna Orinani. Orinani ndokutarira ndokuona Dhavhidhi, ndokubuda paburiro, ndokukotamira Dhavhidhi nechiso chake pasi.
  10957. 1Ch 21:22 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Orinani: Ndipe nzvimbo yeburiro, kuti ndivakire Jehovha aritari mairi; ndipe hero nemutengo wakazara, kuti denda rimiswe kubva pavanhu.
  10958. 1Ch 21:23 Zvino Orinani wakati kuna Dhavhidhi: Zvitorerei, uye ishe wangu mambo ngaaite zvakanaka pameso ake; tarirai, ndinopa nzombe dzive zvipo zvinopiswa, nemipuro ive huni, negorosi rive chipo chechidyiwa. Ndinopa zvose.
  10959. 1Ch 21:24 Mambo Dhavhidhi ndokuti kuna Orinani: Kwete, asi ndicharitenga zvekutenga nemutengo wakazara; nokuti handingatoreri Jehovha chiri chako, kana kupa chipo chinopiswa kunze kwemutengo.
  10960. 1Ch 21:25 Naizvozvo Dhavhidhi wakapa Orinani mashekeri mazana matanhatu egoridhe pauremu panzvimbo iyo.
  10961. 1Ch 21:26 Dhavhidhi ndokuvakirapo Jehovha aritari, ndokupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa, ndokudana kuna Jehovha; iye ndokumupindura nemoto kubva kumatenga pamusoro pearitari yechipo chinopiswa.
  10962. 1Ch 21:27 Jehovha ndokuraira mutumwa, iye ndokudzosera munondo wake mumuhara wawo.
  10963. 1Ch 21:28 Panguva iyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha wamupindura paburiro raOrinani muJebhusi, wakabairapo zvipo.
  10964. 1Ch 21:29 Nokuti tabhenekeri yaJehovha Mozisi yaaiva aita murenje nearitari yechipo chinopiswa panguva iyo zvaiva panzvimbo yakakwirira paGibhiyoni.
  10965. 1Ch 21:30 Asi Dhavhidhi waiva asingagoni kufamba pamberi payo kunotsvaka Mwari; nokuti wakatyiswa nemunondo wemutumwa waJehovha.
  10966. 1Ch 22:1 Zvino Dhavhidhi wakati: Iyi iimba yaJehovha Mwari, uye iyi iaritari yechipo chinopiswa chaIsraeri.
  10967. 1Ch 22:2 Zvino Dhavhidhi wakaraira kuunganidza vatorwa vaiva panyika yaIsraeri; ndokugadza vavezi vemabwe, kuti vaveze mabwe akagadzirwa kuvaka imba yaMwari.
  10968. 1Ch 22:3 Dhavhidhi akagadzirawo matare mazhinji ezvipikiri zvemagonhi emikova neekubatanidza; uye ndarira zhinji isina kuyerwa uremu.
  10969. 1Ch 22:4 Nematanda emisidhari asina kuverengwa; nokuti vaSidhoni nevaTire vakauya nematanda emusidhari mazhinji kuna Dhavhidhi.
  10970. 1Ch 22:5 Dhavhidhi ndokuti: Soromoni mwanakomana wangu mudiki asina simba, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo pazita neparumbidzo panyika dzose; ndichaigadzirira hangu. Dhavhidhi ndokugadzira zvizhinji asati afa.
  10971. 1Ch 22:6 Zvino wakadana Soromoni mwanakomana wake, ndokumuraira kuvakira Jehovha Mwari waIsraeri imba.
  10972. 1Ch 22:7 Dhavhidhi ndokuti kuna Soromoni: Mwanakomana wangu: Kana ndiri ini, zvaiva mumoyo mangu kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba.
  10973. 1Ch 22:8 Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: Wakateura ropa zhinji, uye wakaita dzihondo dzakakura; haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa zhinji panyika pamberi pangu.
  10974. 1Ch 22:9 Tarira, uchaberekerwa mwanakomana; iye achava munhu wezororo; uye ndichamupa zororo kubva pavavengi vake vose vakapoteredza; nokuti zita rake richava Soromoni, uye ndichapa rugare nerunyararo kuna Israeri mumazuva ake.
  10975. 1Ch 22:10 Iye achavakira zita rangu imba; uye iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake. Zvino ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwake pamusoro paIsraeri kusvika rinhi narinhi.
  10976. 1Ch 22:11 Ikozvino, mwanakomana wangu, Jehovha ngaave newe; uye ubudirire ugovaka imba yaJehovha Mwari wako, sekutaura kwake pamusoro pako.
  10977. 1Ch 22:12 Koga Jehovha ngaakupe njere nekunzwisisa, agokuraira pamusoro paIsraeri; kuti uchengete murairo waJehovha Mwari wako.
  10978. 1Ch 22:13 Ipapo uchabudirira, kana uchichenjerera kuzadzisa zvimiso nemitongo Jehovha zvaakaraira Mozisi nazvo maererano naIsraeri. Simba, uye uve neushingi, usatya, kana kuodzwa moyo.
  10979. 1Ch 22:14 Zvino tarira, pakutambudzika kwangu ndagadzirira imba yaJehovha matarenda zvuru zana zvegoridhe, nematarenda churu chezvuru esirivha, nendarira nematare zvisina kuyerwa uremu, nokuti zvizhinji; uye matanda nemabwe ndagadzira; zvino uchawedzera kwazviri.
  10980. 1Ch 22:15 Uye vaiti vebasa vazhinji unavo, vavezi vemabwe, nenyanzwi dzemabwe nematanda, nemurume umwe neumwe wakachenjera pabasa ripi neripi.
  10981. 1Ch 22:16 Pagoridhe, pasirivha, nepandarira, nepamatare hapana kuyerwa uwandu. Simuka ushande, uye Jehovha ave newe.
  10982. 1Ch 22:17 Dhavhidhi wakarairawo misoro yose yaIsraeri kubatsira Soromoni mwanakomana wake, akati:
  10983. 1Ch 22:18 Jehovha Mwari wenyu haasi nemwi here? Uye wakakupai zororo kudivi rimwe nerimwe. Nokuti wakapa vagari venyika muruoko rwangu, uye nyika yakaiswa pasi pamberi paJehovha nepamberi pevanhu vake.
  10984. 1Ch 22:19 Ikozvino misai moyo yenyu nemweya yeupenyu yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Simukai zvino muvake nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kupinza areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba yakavakirwa zita raJehovha.
  10985. 1Ch 23:1 Zvino Dhavhidhi waiva akwegura, agutsikana pamazuva; wakaita Soromoni mwanakomana wake mambo pamusoro paIsraeri.
  10986. 1Ch 23:2 Zvino wakaunganidza machinda ose aIsraeri pamwe nevapristi nevaRevhi.
  10987. 1Ch 23:3 Zvino vaRevhi vakaverengwa kubva pamakore makumi matatu zvichikwirawo; zvino uwandu hwavo, nemisoro yavo, nevarume, vaiva zvuru makumi matatu nezvisere.
  10988. 1Ch 23:4 Pane ava paiva nezvuru makumi maviri nezvina kufambisa basa reimba yaJehovha; uye vatariri nevatongi zvuru zvitanhatu;
  10989. 1Ch 23:5 nevachengeti vemasuwo zvuru zvina; nevarumbidzi vaJehovha zvuru zvina nezvinhu zvandakaitira kurumbidza, wakadaro Dhavhidhi.
  10990. 1Ch 23:6 Zvino Dhavhidhi wakavakamura kuita mapoka zvichienderana nevanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati, naMerari.
  10991. 1Ch 23:7 KuvaGerishoni: Rahadhani naShimei.
  10992. 1Ch 23:8 Vanakomana vaRahadhani: Jehieri musoro, naZetamu, naJoweri, vatatu.
  10993. 1Ch 23:9 Vanakomana vaShimei: Sheromiti, naHazieri, naHarani, vatatu. Ava vaiva misoro yemadzibaba aRahadhani.
  10994. 1Ch 23:10 Nevanakomana vaShimei: Jahati, Zina, naJeushi, naBheriya. Ava vaiva vanakomana vaShimei, vana.
  10995. 1Ch 23:11 Zvino Jahati waiva musoro, naZiza ari wepiri; asi Jeushi naBheriya vaiva vasina vanakomana vakawanda; naizvozvo vakava paimba yemadzibaba nekuverengwa kumwe.
  10996. 1Ch 23:12 Vanakomana vaKohati: Amiramu, Izihari, Hebhuroni, naUziyeri, vana.
  10997. 1Ch 23:13 Vanakomana vaAmiramu: Aroni, naMozisi. Uye Aroni wakatsaurwa kuti atsvenese zvinhu zvitsvene-tsvene, iye nevanakomana vake kusvika rinhi narinhi, kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi paJehovha, kumushumira, nekuropafadza muzita rake rinhi narinhi.
  10998. 1Ch 23:14 Zvino Mozisi munhu waMwari, vanakomana vake vakadanwa nerudzi rwaRevhi.
  10999. 1Ch 23:15 Vanakomana vaMozisi: Gerishomu naEriezeri.
  11000. 1Ch 23:16 Vanakomana vaGerishomu: Shebhueri musoro.
  11001. 1Ch 23:17 Nevanakomana vaEriezeri vaiva Rehabhiya musoro. Zvino Eriezeri waiva asina vamwe vanakomana; vanakomana vaRehabhiya ndokuwanda zvikuru.
  11002. 1Ch 23:18 Vanakomana vaIzihari: Sheromiti musoro.
  11003. 1Ch 23:19 Vanakomana vaHebhuroni: Jeriya musoro, Amariya wepiri, Jahaziyeri wetatu, Jekameyamu wechina.
  11004. 1Ch 23:20 Vanakomana vaUziyeri: Mika musoro, naIshishiya wepiri.
  11005. 1Ch 23:21 Vanakomana vaMerari: Mahiri naMushi. Vanakomana vaMahiri: Eriazari naKishi.
  11006. 1Ch 23:22 Zvino Eriazari wakafa, uye waiva asina vanakomana, asi vanasikana. Hama dzavo, vanakomana vaKishi, ndokuvatora.
  11007. 1Ch 23:23 Vanakomana vaMushi: Mahiri, naEdheri, naJeremoti, vatatu.
  11008. 1Ch 23:24 Ava vanakomana vaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo, misoro yemadzibaba, sekuverengwa kwavo, neuwandu hwemazita nemisoro yavo, vaiita basa reshumiro reimba yaJehovha, kubva pamakore makumi maviri zvichikwirawo.
  11009. 1Ch 23:25 Nokuti Dhavhidhi wakati: Jehovha Mwari waIsraeri wakapa vanhu vake zororo; uye achagara muJerusarema kusvika rinhi narinhi.
  11010. 1Ch 23:26 Uyewo kuvaRevhi, hakuna achatakura tabhenekari kana midziyo yose yayo yeshumiro yayo.
  11011. 1Ch 23:27 Nokuti nemashoko ekupedzisira aDhavhidhi vanakomana vaRevhi vakaverengwa, kubva pamakore makumi maviri zvichikwirawo.
  11012. 1Ch 23:28 Nokuti nzvimbo yavo yaiva muruoko rwevanakomana vaAroni pashumiro yeimba yaJehovha, pamusoro pezvivanze, nepamusoro pemakamuri, nepamusoro pekuchenurwa kwezvinhu zvitsvene zvose, uye basa reshumiro yeimba yaMwari;
  11013. 1Ch 23:29 nerechingwa chekuratidza, nereupfu hwakatsetseka hwechipo chechidyiwa, nerezvingwa zvitete zvisina mbiriso, nerezvakabikwa mupani, nerezvakakangiwa nemafuta, nerezviyero zvose nemakuriro,
  11014. 1Ch 23:30 nekumira mangwanani nemangwanani kuvonga nekurumbidza Jehovha, uye saizvozvo madekwani;
  11015. 1Ch 23:31 nekupa zvose zvezvipo zvinopiswa kuna Jehovha zvemasabata, zvekugara kwemwedzi, nezvepamitambo yakatarwa, neuwandu, zvichienderana nechimiso pamusoro pazvo rinhi narinhi pamberi paJehovha;
  11016. 1Ch 23:32 nekuchengeta chirindo chetende rekusangana, nechirindo cheimba tsvene, nechirindo chevanakomana vaAroni, hama dzavo, pashumiro yeimba yaJehovha.
  11017. 1Ch 24:1 Zvino vanakomana vaAroni vaiva nemapoka avo. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.
  11018. 1Ch 24:2 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa kutangira baba vavo, uye vaiva vasina vana. Naizvozvo Eriazari naItamari vakashanda paupristi.
  11019. 1Ch 24:3 Dhavhidhi ndokuvakamura, naZadhoki pavanakomana vaEriazari, naAhimereki pavanakomana vaItamari, zvichienderana nezvinzvimbo zvavo pashumiro yavo.
  11020. 1Ch 24:4 Zvino kwakawanikwa kuvanakomana vaEriazari misoro yevane simba vazhinji kupfuura kuvanakomana vaItamari; ndokuvakamura: Pavanakomana vaEriazari, misoro yeimba yemadzibaba yaiva gumi nemitanhatu, uye vasere pavanakomana vaItamari neimba yemadzibaba avo.
  11021. 1Ch 24:5 Zvino vakakamurwa nemijenya, ava neavo; nokuti machinda eimba tsvene nemachinda aMwari aibva pavanakomana vaEriazari nepavanakomana vaItamari.
  11022. 1Ch 24:6 Zvino Shemaya mwanakomana waNetaneri munyori, anobva kuvaRevhi, wakavanyora pamberi pamambo, nemachinda, naZadhoki mupristi, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, nemisoro yemadzibaba evapristi neevaRevhi; imba yababa imwe yatorerwa Eriazari, uye imwe yatorerwa Itamari.
  11023. 1Ch 24:7 Zvino mujenya wekutanga wakabudira kuna Jehoiyaribhi; wepiri kuna Jedhaya;
  11024. 1Ch 24:8 wetatu kuna Harimi; wechina kuna Seorimi;
  11025. 1Ch 24:9 weshanu kuna Marikiya; wetanhatu kuna Miyamini;
  11026. 1Ch 24:10 wechinomwe kuna Hakozi; wesere kuna Abhija;
  11027. 1Ch 24:11 wepfumbamwe kuna Jeshuwa; wegumi kuna Shekaniya;
  11028. 1Ch 24:12 wegumi neumwe kuna Eriashibhi; wegumi nemiviri kuna Jakimi;
  11029. 1Ch 24:13 wegumi nemitatu kuna Hupa; wegumi nemina kuna Jeshebhiyabhi;
  11030. 1Ch 24:14 wegumi nemishanu kuna Bhiriga; wegumi nemitanhatu kuna Imeri;
  11031. 1Ch 24:15 wegumi neminomwe kuna Heziri; wegumi nemisere kuna Hapizezi;
  11032. 1Ch 24:16 wegumi nemipfumbamwe kuna Petahiya; wemakumi maviri kuna Jehezekeri;
  11033. 1Ch 24:17 wemakumi maviri neumwe kuna Jakini; wemakumi maviri nemiviri kuna Gamuri;
  11034. 1Ch 24:18 wemakumi maviri nemitatu kuna Dheraya; wemakumi maviri nemina kuna Mahaziya.
  11035. 1Ch 24:19 Zvinzvimbo zveavo pashumiro yavo zvaiva zvekupinda muimba yaJehovha zvichienderana nekugadzwa kwavo neruoko rwaAroni baba vavo, seizvo Jehovha Mwari waIsraeri zvaakaraira.
  11036. 1Ch 24:20 Zvino pavanakomana vaRevhi vakasara, pavanakomana vaAmiramu: Shubhaeri; pavanakomana vaShubhaeri: Jehidheya.
  11037. 1Ch 24:21 PaRehabhiya: Pavanakomana vaRehabhiya, musoro Ishishiya.
  11038. 1Ch 24:22 PavaIzihari: Sheromoti; pavanakomana vaSheromoti: Jahati.
  11039. 1Ch 24:23 Nevanakomana vaHebhuroni: Jeria wekutanga, Amariya wepiri, Jahaziyeri wetatu, Jekameyamu wechina.
  11040. 1Ch 24:24 Vanakomana vaUziyeri: Mika; pavanakomana vaMika: Shamiri.
  11041. 1Ch 24:25 Munin’ina waMika: Ishishiya; pavanakomana vaIshishiya: Zekariya.
  11042. 1Ch 24:26 Vanakomana vaMerari: Mahiri naMushi; vanakomana vaJahaziya: Bheno.
  11043. 1Ch 24:27 Vanakomana vaMerari: KwaJahaziya: Bheno, naShohamu, naZakuri, naIbhiri.
  11044. 1Ch 24:28 Pana Mahiri: Eriazari; waiva asina vanakomana.
  11045. 1Ch 24:29 Pana Kishi: Vanakomana vaKishi: Jerahimeeri.
  11046. 1Ch 24:30 Nevanakomana vaMushi: Mahiri, naEdheri, naJerimoti. Ava vanakomana vaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo.
  11047. 1Ch 24:31 Neavawo vakakanda mijenya sehama dzavo, vanakomana vaAroni pamberi paDhavhidhi mambo, naZadhoki, naAhimereki, nemisoro yemadzibaba yevapristi neyevaRevhi, misoro yemadzibaba seyemunin’ina wake.
  11048. 1Ch 25:1 Zvino Dhavhidhi nevakuru vehondo vakatsaurira shumiro kuvanakomana vaAsafi nekuna Hemani nekuna Jedhutuni, vanoporofita nembira, nemitengeranwa, uye nemakandira; neuwandu hwevarume vebasa hwaienderana neshumiro yavo.
  11049. 1Ch 25:2 Kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetaniya, naAsarera, vanakomana vaAsafi, pasi peruoko rwaAsafi, waiporofita nemurairo wamambo.
  11050. 1Ch 25:3 Kuna Jedhutuni: Vanakomana vaJedhutuni: Gedhariya, naZeri, naJeshaya, Hashabhiya, naMatitia, vatanhatu pasi pemaoko ababa vavo Jedhutuni waiporofita nembira, kuvonga nekurumbidza Jehovha.
  11051. 1Ch 25:4 KwaHemani: Vanakomana vaHemani: Bhukiya, Mataniya, Uziyeri, Shebhueri, naJerimoti, Hananiya, Hanani, Eriyata, Gidhariti, naRomamiti-Ezeri, Joshibhekasha, Maroti, Hotiri, Mahazioti.
  11052. 1Ch 25:5 Ava vose vanakomana vaHemani, muoni wamambo pamashoko aMwari kusimudza runyanga. Mwari ndokupa kuna Hemani vanakomana gumi nevana, nevakunda vatatu.
  11053. 1Ch 25:6 Ava vose vaiva mumaoko ababa vavo pakuimba muimba yaJehovha, nemakandira, mitengeranwa, nembira, pashumiro yeimba yaMwari pasi pemaoko amambo, Asafi, naJedhutuni, naHemani.
  11054. 1Ch 25:7 Zvino uwandu hwavo pamwe nehama dzavo vaiva vakadzidziswa zvenziyo dzaJehovha, vose vaiva neruzivo, hwaiva mazana maviri nemakumi masere nevasere.
  11055. 1Ch 25:8 Zvino vakakanda mijenya pakudondana kwebasa, sezvakaita mudiki sezvakaita mukuru, mudzidzisi pamwe nemudzidzi.
  11056. 1Ch 25:9 Zvino mujenya wekutanga wakabudira Asafi kuna Josefa; wepiri kuna Gedhariya; iye nevanin’ina vake nevanakomana vake, gumi nevaviri;
  11057. 1Ch 25:10 wetatu kuna Zakuri, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11058. 1Ch 25:11 wechina kuna Iziri, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11059. 1Ch 25:12 weshanu kuna Netaniya, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11060. 1Ch 25:13 wetanhatu kuna Bhukiya, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11061. 1Ch 25:14 wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11062. 1Ch 25:15 wesere kuna Jeshaya, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11063. 1Ch 25:16 wepfumbamwe kuna Mataniya, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11064. 1Ch 25:17 wegumi kuna Shimei, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11065. 1Ch 25:18 wegumi neumwe kuna Azareeri, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11066. 1Ch 25:19 wegumi nevaviri kuna Hashabhiya, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11067. 1Ch 25:20 wegumi nevatatu kuna Shubhayeri, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11068. 1Ch 25:21 wegumi nena kuna Matitia, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11069. 1Ch 25:22 wegumi neshanu kuna Jeremoti, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11070. 1Ch 25:23 wegumi netanhatu kuna Hananiya, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11071. 1Ch 25:24 wegumi nenomwe kuna Joshibhekasha, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11072. 1Ch 25:25 wegumi nesere kuna Hanani, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11073. 1Ch 25:26 wegumi nepfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11074. 1Ch 25:27 wemakumi maviri kuna Eriyata, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11075. 1Ch 25:28 wemakumi maviri neumwe kuna Hotiri, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11076. 1Ch 25:29 wemakumi maviri nevaviri kuna Gidhariti, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11077. 1Ch 25:30 wemakumi maviri nevatatu kuna Mahaziyoti, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri;
  11078. 1Ch 25:31 wemakumi maviri nena kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake, nevanin’ina vake, gumi nevaviri.
  11079. 1Ch 26:1 Maererano nemapoka evachengeti vemasuwo. KuvaKora: Mesheremiya mwanakomana waKore, wevanakomana vaAsafi.
  11080. 1Ch 26:2 Nevanakomana vaMesheremiya: Zekariya dangwe, Jedhiyaeri wepiri, Zebhedhia wetatu, Jatiniyeri wechina,
  11081. 1Ch 26:3 Eramu weshanu, Jehohanani wetanhatu, Erioenai wechinomwe.
  11082. 1Ch 26:4 NaObhedhi-Edhomu waiva nevanakomana: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wepiri, Jowa wetatu, naSakari wechina, naNetaneri weshanu,
  11083. 1Ch 26:5 Amieri wetanhatu, Isasikari wechinomwe, Peuretai wesere; nokuti Mwari waiva amuropafadza.
  11084. 1Ch 26:6 Nekuna Shemaya mwanakomana wake kwakaberekwa vanakomana vaitonga imba yababa vavo; nokuti vaiva varume vesimba veumhare.
  11085. 1Ch 26:7 Vanakomana vaShemaya: Otini, naRefayeri, naObhedhi, Erizabhadhi, vanin’ina vake, vanakomana veumhare; Erihu naShemakiya.
  11086. 1Ch 26:8 Ava vose vaiva vevanakomana vaObhedhi-Edhomu; ivo nevanakomana vavo, nevanin’ina vavo, varume vakakwana nesimba vebasa; makumi matanhatu nevaviri vaObhedhi-Edhomu.
  11087. 1Ch 26:9 Uye Mesheremiya waiva nevanakomana nevanin’ina, vanakomana veumhare, gumi nevasere.
  11088. 1Ch 26:10 NaHosa, wevanakomana vaMerari, waiva nevanakomana: Shimiri musoro (kunyange waiva asiri dangwe, baba vake vakamuita musoro),
  11089. 1Ch 26:11 Hirikiya wepiri, Tebhariya wetatu, Zekariya wechina; vose vanakomana nevanin’ina vaHosa, gumi nevatatu.
  11090. 1Ch 26:12 Pakati peava paiva nemapoka evachengeti vemasuwo, pakati pemisoro yevarume vane ngava sehama dzavo, kushumira muimba yaJehovha.
  11091. 1Ch 26:13 Zvino vakakanda mijenya, nemudikiwo semukuru, zvichienderana neimba yemadzibaba avo kuitira suwo nesuwo.
  11092. 1Ch 26:14 Zvino mujenya nechekumabvazuva wakawira kuna Sheremiya; zvino vakakanda mujenya pamusoro paZekariya mwanakomana wake, gurukota rakachenjera; mujenya wake ndokubudira kumaodzanyemba.
  11093. 1Ch 26:15 Kuna Obhedhi-Edhomu nechekuchamhembe, nekuvanakomana vake, imba yematura.
  11094. 1Ch 26:16 Kuna Shupimi nekuna Hosa nechekumavirira, pamwe nesuwo reShareketi riri pamugwagwa mukuru unokwira, chirindo nechirindo.
  11095. 1Ch 26:17 Nechekumabvazuva kwaiva nevaRevhi vatanhatu, nechekuchamhembe zuva rimwe nerimwe vana, nechekumaodzanyemba zuva rimwe nerimwe vana, nepamatura vaviri-vaviri.
  11096. 1Ch 26:18 PaParibhari nechekumavirazuva, vana pamugwagwa mukuru, vaviri paParibhari.
  11097. 1Ch 26:19 Awa mapoka evachengeti vemikova vevanakomana vevaKora nevevanakomana vaMerari.
  11098. 1Ch 26:20 Zvino kuvaRevhi Ahija waiva pamusoro pezvinokosha zveimba yaMwari uye pamusoro pezvinokosha zvezvinhu zvitsvene.
  11099. 1Ch 26:21 Vanakomana vaRadhani: Vanakomana vemuGerishoni, kuRadhani misoro yemadzibaba kwaRadhani muGerishoni: Jehieri.
  11100. 1Ch 26:22 Vanakomana vaJehiyeri: Zetami naJoweri munin’ina wake vaiva pamusoro pezvinokosha zveimba yaJehovha.
  11101. 1Ch 26:23 KuvaAmiramu, kuvaIzihari, kuvaHebhuroni, kuvaUziyeri:
  11102. 1Ch 26:24 NaShebhueri mwanakomana waGerishomu, mwanakomana waMozisi, waiva mukuru pamusoro pezvinokosha.
  11103. 1Ch 26:25 Nevanin’ina vake vaEriezeri: Rehabhia mwanakomana wake, uye Jeshaya mwanakomana wake, uye Joramu mwanakomana wake, uye Zikiri mwanakomana wake, uye Sheromiti mwanakomana wake.
  11104. 1Ch 26:26 Sheromiti uyu nevanin’ina vake vaiva pamusoro pezvinokosha zvose zvezvinhu zvitsvene, izvo Dhavhidhi mambo zvaakatsvenesa, nemisoro yemadzibaba, nevakuru vezvuru nevemazana, nevakuru vehondo.
  11105. 1Ch 26:27 Kubva pahondo nepane zvakapambiwa vakazviita zvitsvene kugadzira imba yaJehovha.
  11106. 1Ch 26:28 Nezvose Samueri muoni zvaakatsvenesa, naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri mwanakomana waNeri, naJoabhu mwanakomana waZeruya, zvose zvaakatsvenesa, zvaiva pasi peruoko rwaSheromoti nevanin’ina vake.
  11107. 1Ch 26:29 KuvaIzihari, Kenania nevanakomana vake pamabasa ekunze pamusoro paIsraeri, vari vatariri nevatongi.
  11108. 1Ch 26:30 KuvaHebhuroni, Hashabhiya nevanin’ina vake, varume veumhare, churu nemazana manomwe, pamusoro pevatungamiriri vaIsraeri mhiri kwaJoridhani nechekumavirazuva, pabasa rose raJehovha nepashumiro yamambo.
  11109. 1Ch 26:31 Pakati pevaHebhuroni, Jeriya musoro, kuvaHebhuroni, zvichienderana nemazera avo zvichienderana nemadzibaba, mugore remakumi mana rekutonga kwaDhavhidhi vakatsvakwa; ndokuwanikwa pakati pavo varume vesimba veumhare, muJazeri reGiriyadhi.
  11110. 1Ch 26:32 Zvino vanin’ina vake, varume veumhare, vaiva zvuru zviviri nemazana manomwe, misoro yedzimba, Dhavhidhi mambo vaaiva aita vatongi pamusoro pevaRubheni, nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, pazvinhu zvose zvaMwari nezvinhu zvamambo.
  11111. 1Ch 27:1 Zvino vana vaIsraeri neuwandu hwavo, misoro yemadzibaba, nevakuru vezvuru nevemazana, nevatariri vavo, vaishandira mambo pazvinhu zvose zvemapoka aipinda nekubuda mwedzi nemwedzi pamwedzi yose yegore, boka rimwe nerimwe; zvuru makumi maviri nezvina.
  11112. 1Ch 27:2 Pamusoro peboka rekutanga pamwedzi wekutanga, Jashobheyami mwanakomana waZabhadhiyeri; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11113. 1Ch 27:3 Waibva kuvana vaPerezi, musoro wemachinda ose edzihondo pamwedzi wekutanga.
  11114. 1Ch 27:4 Zvino pamusoro peboka remwedzi wepiri paiva naDhodhayi muAhohi, neboka rake; Mikiroti waivawo mutungamiriri; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11115. 1Ch 27:5 Musoro wehondo yetatu pamwedzi wetatu waiva Bhenaya mwanakomana waJehoyadha mupristi mukuru; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11116. 1Ch 27:6 Uyu Bhenaya waiva wesimba pavane makumi matatu, uye waiva pamusoro pemakumi matatu; neboka rake nderaAmizabhadhi mwanakomana wake.
  11117. 1Ch 27:7 Wechina pamwedzi wechina waiva Asaheri munin’ina waJoabhu, naZebhedhia mwanakomana wake waimutevera; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11118. 1Ch 27:8 Weshanu pamwedzi weshanu waiva muchinda Shamhuti muIzira; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11119. 1Ch 27:9 Wetanhatu pamwedzi wetanhatu waiva Ira mwanakomana waIkeshi muTekowa; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11120. 1Ch 27:10 Wechinomwe pamwedzi wechinomwe waiva Herezi muPeroni wevanakomana vaEfuremu; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11121. 1Ch 27:11 Wesere pamwedzi wesere waiva Shebhekai muHushati, wevaZerihi; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11122. 1Ch 27:12 Wepfumbamwe pamwedzi wepfumbamwe waiva Abhiezeri muAnatoti wevaBhenjamini; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11123. 1Ch 27:13 Wegumi pamwedzi wegumi waiva Maharai muNetofati wevaZera; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11124. 1Ch 27:14 Wegumi neumwe pamwedzi wegumi neumwe waiva Bhenaya muPiratoni wevana vaEfuremu; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11125. 1Ch 27:15 Wegumi nevaviri pamwedzi wegumi nemiviri waiva Heridhai muNetofati waOtiniyeri; uye paboka rake paiva nezvuru makumi maviri nezvina.
  11126. 1Ch 27:16 Uye pamusoro pemarudzi aIsraeri: Mutongi wevaRubheni waiva Eriezeri mwanakomana waZikiri. KuvaSimioni: Shefatiya mwanakomana waMaaka.
  11127. 1Ch 27:17 Kuna Revhi: Hashabhiya mwanakomana waKemueri. Kuna Aroni: Zadhoki.
  11128. 1Ch 27:18 Kuna Judha: Erihu pavanin’ina vaDhavhidhi. Kuna Isasikari: Omiri mwanakomana waMikayeri.
  11129. 1Ch 27:19 Kuna Zebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhiya. Kuna Nafutari: Jeremoti mwanakomana waAziyeri.
  11130. 1Ch 27:20 Kuvana vaEfuremu: Hosheya mwanakomana waAzaziya. Kuhafu yerudzi rwaManase: Joweri mwanakomana waPedhaya.
  11131. 1Ch 27:21 Kuhafu yekwaManase paGiriyadhi: Idho mwanakomana waZekariya. Kuna Bhenjamini: Jasiyeri mwanakomana waAbhineri.
  11132. 1Ch 27:22 Kuna Dhani: Azareri mwanakomana waJerohamu. Ndivo vaiva vakuru vemarudzi aIsraeri.
  11133. 1Ch 27:23 Asi Dhavhidhi haana kutora uwandu hwavo, hwevane makore makumi maviri nepasi; nokuti Jehovha waiva ati achawanza Israeri senyeredzi dzekumatenga.
  11134. 1Ch 27:24 Joabhu mwanakomana waZeruya wakatanga kuverenga, asi haana kupedza; nokuti kwakava nehasha nekuda kweizvozvo pana Israeri; naizvozvo uwandu hauna kukwira pakuverengwa kweMakoronike amambo Dhavhidhi.
  11135. 1Ch 27:25 Zvino pamusoro pezvakakosha zvamambo paiva naAzimavheti mwanakomana waAdhiyeri; uye pamusoro pezvinokosha muminda, mumaguta, nemumisha, nemunhare paiva naJonatani mwanakomana waUziya.
  11136. 1Ch 27:26 Zvino pamusoro pevaiita basa remumunda wekurimwa kwevhu paiva naEziri mwanakomana waKerubhi.
  11137. 1Ch 27:27 Zvino pamusoro peminda yemizambiringa paiva naShimei muRamati; uye pamusoro pezvaiva muminda yemizambiringa zvezvinokosha zvewaini paiva naZabhadhi muShifimi.
  11138. 1Ch 27:28 Zvino pamusoro pemiti yemiorivhi nemionde yaiva pamipata paiva naBhaari-Hanani muGedheri; uye pamusoro pezvinokosha zvemafuta paiva naJoashi.
  11139. 1Ch 27:29 Zvino pamusoro pemombe dzaifura paSharoni paiva naShitirai muSharoni; uye pamusoro pemombe mumipata paiva naShafati mwanakomana waAdhirai.
  11140. 1Ch 27:30 Zvino pamusoro pemakamera paiva naObhiri muIshimaeri; uye pamusoro pembongoro paiva naJedheiya muMeronoti.
  11141. 1Ch 27:31 Zvino pamusoro pemapoka emakwai paiva naJazizi muHagiri. Ava vose vaiva vatariri venhumbi mambo Dhavhidhi dzaaiva nadzo.
  11142. 1Ch 27:32 Uye Jonatani babamunini vaDhavhidhi waiva gurukota, murume wakachenjera, uye munyori; naJehieri mwanakomana waHakimoni waiva nevanakomana vamambo.
  11143. 1Ch 27:33 Zvino Ahitoferi waiva gurukota ramambo; naHushai muAriki waiva shamwari yamambo.
  11144. 1Ch 27:34 Uye shure kwaAhitoferi kwaiva naJehoyadha mwanakomana waBhenaya, naAbhiyatari; uye musoro wehondo yamambo waiva Joabhu.
  11145. 1Ch 28:1 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza vakuru vose vaIsraeri, vakuru vemarudzi, nevakuru vemapoka vaishandira mambo, nevakuru vezvuru, nevakuru vemazana, nevatariri venhumbi dzose nefuma yamambo nevanakomana vake, pamwe nevatenwa, nevane simba, nevane simba vose veumhare, kuJerusarema.
  11146. 1Ch 28:2 Zvino mambo Dhavhidhi wakamira netsoka dzake ndokuti: Ndinzwei hama dzangu, nevanhu vangu! Ini, zvaiva mumoyo mangu kuvakira areka yesungano yaJehovha imba yekuzorora, neyechitsiko chetsoka dzaMwari wedu; zvino ndakaita gadziriro yekuvaka.
  11147. 1Ch 28:3 Asi Mwari wakati kwandiri: Haungavakiri zita rangu imba, nokuti uri munhu wedzihondo, uye wakateura ropa rakawanda.
  11148. 1Ch 28:4 Zvino Jehovha Mwari waIsraeri wakandisarudza kubva paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri rinhi narinhi, nokuti wakasarudza Judha kuva mutongi, nepaimba yaJudha imba yababa vangu, uye pakati pevanakomana vababa vangu wakandida kuita mambo pamusoro paIsraeri wose.
  11149. 1Ch 28:5 Zvino pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha wakandipa vanakomana vazhinji) wakasarudza Soromoni mwanakomana wangu kugara pachigaro cheushe cheumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.
  11150. 1Ch 28:6 Zvino wakati kwandiri: Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu; nokuti ndakamusarudza kuva mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake.
  11151. 1Ch 28:7 Uye ndichasimbisa ushe hwake kusvika rinhi narinhi kana akasimba kuita mirairo yangu nemitongo yangu sanhasi.
  11152. 1Ch 28:8 Naizvozvo ikozvino pamberi pemeso aIsraeri wose, ungano yaJehovha, uye munzeve dzaMwari wedu, chengetai uye tsvakai mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti mugare nhaka yenyika iyi yakanaka, mugosiira vana venyu nhaka yayo shure kwenyu kusvika rinhi narinhi.
  11153. 1Ch 28:9 Zvino iwe Soromoni mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nemoyo wakazara, uye nemweya unoda; nokuti Jehovha anonzvera moyo yose, uye anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo. Kana ukamutsvaka, achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, achakurasa kusvika rinhi narinhi.
  11154. 1Ch 28:10 Zvino chenjerera, nokuti Jehovha wakakusarudza kuvaka imba ive imba tsvene; simba ugozviita.
  11155. 1Ch 28:11 Zvino Dhavhidhi wakapa Soromoni mwanakomana wake mufananidzo weberere, newedzimba dzaro, newezvinokosha zvaro, newemakamuri aro epamusoro, newemakamuri aro emukati, neweimba yechigaro chengoni.
  11156. 1Ch 28:12 Nemufananidzo wezvose zvaaiva nazvo neMweya, wezvivanze zveimba yaJehovha, newemakamuri ose akapoteredza, wematura ezvinokosha zveimba yaMwari, newematura ezvinokosha zvezvinhu zvitsvene,
  11157. 1Ch 28:13 newemapoka evapristi nevaRevhi, newebasa rose reshumiro yeimba yaJehovha, newemidziyo yose yeshumiro yeimba yaJehovha,
  11158. 1Ch 28:14 wegoridhe neuremu pagoridhe pazvinhu zvose zvebasa ripi neripi, wemidziyo yose yesirivha neuremu, wemidziyo yose yekushumira neshumiro,
  11159. 1Ch 28:15 neuremu hwezvigadziko zvemwenje zvegoridhe, newemwenje yazvo yegoridhe neuremu hwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe nemwenje yazvo, nehwezvigadziko zvemwenje zvesirivha neuremu hwechigadziko chemwenje nemwenje yacho zvichienderana nebasa rechigadziko chemwenje chimwe nechimwe;
  11160. 1Ch 28:16 negoridhe, uremu hwematafura ezvingwa zvekuratidza hwetafura netafura, nesirivha yematafura esirivha;
  11161. 1Ch 28:17 nemaforogo, nendiro dzekusasa, nemikombe yegoridhe rakazara, uye nemidziyo yegoridhe neuremu hwemudziyo uyu neuyu; uye nemidziyo yesirivha, neuremu hwemudziyo uyu neuyu;
  11162. 1Ch 28:18 nepaaritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, goridhe rakanatswa neuremu, negoridhe remufananidzo wengoro dzemakerubhi akatandavadza mapapiro achifukidza areka yesungano yaJehovha.
  11163. 1Ch 28:19 Dhavhidhi ndokuti: Izvi zvose Jehovha wakaita ndinzwisise nekunyora neruoko rwake pamusoro pangu, mabasa ose emufananidzo uyu.
  11164. 1Ch 28:20 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Soromoni mwanakomana wake: Simba, utsunge, ugoita, usatya uye usavunduswa, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe; haangakuregi uye haangakusiyi kusvika mabasa ose eshumiro yeimba yaJehovha apedzwa.
  11165. 1Ch 28:21 Zvino tarira, mapoka evapristi nevaRevhi, pabasa rose reimba yaMwari; uye vanewe pabasa ripi neripi, mhizha ipi neipi inoda pabasa rose, nemachinda nevanhu vose vachaita sekuraira kwako kose.
  11166. 1Ch 29:1 Zvino mambo Dhavhidhi wakati kuungano yose: Mwanakomana wangu Soromoni, uyo oga Mwari waakasarudza mudiki uye haana simba, zvino basa iguru; nokuti muzinda hausi wemunhu asi waJehovha Mwari.
  11167. 1Ch 29:2 Zvino ndagadzirira nesimba rangu rose imba yaMwari wangu, goridhe rezvegoridhe, nesirivha yezvesirivha, nendarira yezvendarira, matare ezvematare, nematanda ezvematanda; mabwe eonikisi neekuiswa, mabwe anopenya neemavara-mavara, nemhando dzose dzemabwe anokosha, nemabwe earabhasiteri muuwandu.
  11168. 1Ch 29:3 Uyezve, nekuda kwekuda kwangu imba yaMwari wangu, fuma ndinayo pachangu, goridhe nesirivha, ndinopa imba yaMwari wangu, pamusoro pezvose zvandakagadzirira imba tsvene:
  11169. 1Ch 29:4 Matarenda egoridhe zvuru zvitatu, egoridhe reOfiri, nematarenda akanatswa esirivha zvuru zvinomwe, kudzudzura madziro edzimba nazvo.
  11170. 1Ch 29:5 Zvegoridhe rezvegoridhe, nezvesirivha yezvesirivha, nezvemabasa emarudzi ose emaoko edzimhizha. Zvino ndiani anoda kutsaurira Jehovha nhasi?
  11171. 1Ch 29:6 Zvino misoro yemadzibaba, nemisoro yemarudzi aIsraeri, nemisoro yezvuru neyemazana, nemisoro yebasa ramambo vakapa nechido.
  11172. 1Ch 29:7 Zvino vakapa pabasa reimba yaMwari matarenda zvuru zvishanu egoridhe, nemakobiri zvuru gumi, uye matarenda zvuru gumi esirivha, nematarenda zvuru gumi nezvisere endarira, nematarenda zvuru zana ematare.
  11173. 1Ch 29:8 Neavo kwakawanikwa kwavari mabwe, vakaapa kufuma yeimba yaJehovha neruoko rwaJehieri muGerishoni.
  11174. 1Ch 29:9 Zvino vanhu vakafara nekupa kwavo nechido, nokuti nemoyo wakaperera vakapa nechido kuna Jehovha; namambo Dhavhidhiwo vakafara, mufaro mukuru.
  11175. 1Ch 29:10 Zvino Dhavhidhi wakarumbidza Jehovha pameso eungano yose; Dhavhidhi ndokuti: Rumbidzwai imwi Jehovha Mwari waIsraeri baba vedu kubva rinhi narinhi kusvika rinhi narinhi.
  11176. 1Ch 29:11 Ndezvenyu Jehovha, ukuru nesimba nekubwinya nekukunda neumambo, nokuti zvose zviri kumatenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndehwenyu, Jehovha, uye makakudzwa mukava musoro wezvose.
  11177. 1Ch 29:12 Zvose fuma nerukudzo zvinobva kwamuri, uye munotonga pamusoro pezvose; uye muruoko rwenyu mune kugwinya nesimba, uye zviri muruoko rwenyu kukurisa nekupa vose simba.
  11178. 1Ch 29:13 Naizvozvo zvino Mwari wedu, tinopa kuvonga kwamuri uye tinopa rumbidzo kuzita renyu rakanakisisa.
  11179. 1Ch 29:14 Zvino ini ndini ani, nevanhu vangu chinyi, kuti tiwane simba kupa nechido zvakadai, nokuti zvose zvinobva kwamuri, uye tapa kwamuri zvinobva paruoko rwenyu.
  11180. 1Ch 29:15 Nokuti tiri vaeni pamberi penyu nevatorwa, semadzibaba edu ose; mazuva edu panyika akaita semumvuri, uye hakuna tariro.
  11181. 1Ch 29:16 Jehovha Mwari wedu, zvakawanda zvose izvi zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; uye zvose ndezvenyu.
  11182. 1Ch 29:17 Ndinozivawo Mwari wangu, kuti imwi munonzvera moyo, uye munofarira kururama. Ini, mukururama kwemoyo wangu, ndakapa izvi zvose nechido, uye ikozvino ndaona vanhu venyu nemufaro ivo vanowanikwa pano kuti vape nechido kwamuri.
  11183. 1Ch 29:18 Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka, naIsraeri, madzibaba edu, chengetai izvi kusvika rinhi narinhi mundangariro dzemifungo yemoyo yevanhu venyu, uye mugadzirire moyo wavo kwamuri.
  11184. 1Ch 29:19 Zvino ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakaperera, kuchengeta mirairo yenyu, zvipupuro zvenyu, nezvimiso zvenyu, uye kuita zvose nekuvaka muzinda wandagadzirira.
  11185. 1Ch 29:20 Dhavhidhi ndokuti kuungano yose: Zvino rumbidzai Jehovha Mwari wenyu. Ungano yose ndokurumbidza Jehovha Mwari wemadzibaba avo, ndokukotamira pasi, ndokushumira Jehovha namambo.
  11186. 1Ch 29:21 Zvino vakabaira zvibairo kuna Jehovha, ndokupa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha chifume chezuva iro: Nzombe diki churu chimwe, makondohwe churu chimwe, makwayana churu chimwe, pamwe nezvipo zvazvo zvechinwiwa, nezvibairo zvakawanda kuitira Israeri wose.
  11187. 1Ch 29:22 Zvino vakadya ndokunwa pamberi paJehovha nemufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo kechipiri, vakamuzodzera Jehovha kuva mutungamiriri, naZadhoki kuva mupristi.
  11188. 1Ch 29:23 Zvino Soromoni wakagara pachigaro cheushe chaJehovha samambo pachinzvimbo chaDhavhidhi baba vake, ndokubudirira; naIsraeri wose ndokumuteerera.
  11189. 1Ch 29:24 Zvino misoro yose nevarume vane simba uye vanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakapa ruoko kuva pasi paSoromoni mambo.
  11190. 1Ch 29:25 Zvino Jehovha wakakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pemeso aIsraeri wose, ndokumupa ushe hweumambo sehusina kumbovapo kuna mambo upi neupi mberi kwake kwaIsraeri.
  11191. 1Ch 29:26 Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akatonga pamusoro paIsraeri wose.
  11192. 1Ch 29:27 Zvino mazuva aakatonga pamusoro paIsraeri aiva makore makumi mana; makore manomwe wakatonga paHebhuroni, uye makumi matatu nematatu wakatonga paJerusarema.
  11193. 1Ch 29:28 Zvino wakafa akwegura zvakanaka, azara nemazuva, fuma, nerukudzo. Soromoni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  11194. 1Ch 29:29 Zvino nyaya dzaDhavhidhi mambo dzekutanga nedzekupedzisira, tarira dzakanyorwa munyaya dzaSamueri muoni uye munyaya dzaNatani muporofita nemunyaya dzaGadhi muoni;
  11195. 1Ch 29:30 pamwe nekutonga kwake kose nesimba rake nenguva dzakadarika nepamusoro pake nepamusoro paIsraeri nepamusoro peumambo hwose hwedzinyika
  11196. 2Ch 1:1 Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi wakazvisimbisa paushe hwake, uye Jehovha Mwari wake waiva naye, ndokumukurisa zvikuru kwazvo.
  11197. 2Ch 1:2 Zvino Soromoni wakataura kuna Israeri wose, kumisoro yezvuru neyemazana, nekuvatongi, nekumachinda ose kwaIsraeri wose, misoro yemadzibaba.
  11198. 2Ch 1:3 Zvino Soromoni neungano yose pamwe naye vakaenda kunzvimbo yakakwirira yaiva paGibhiyoni; nokuti ipapo paiva netende rekusangana raMwari, Mozisi muranda waJehovha raaiva aita murenje.
  11199. 2Ch 1:4 Asi Dhavhidhi waiva akwidza areka yaMwari kubva paKiriati-Jearimi kuiisa Dhavhidhi paaiva aigadzirira, nokuti waiva aidzikira tende paJerusarema.
  11200. 2Ch 1:5 Nearitari yendarira Bhezareeri mwanakomana waUri mwanakomana waHuri yaaiva aita wakaiisa pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano ndokutsvaka kwairi.
  11201. 2Ch 1:6 Zvino Soromoni wakakwirako kuaritari yendarira pamberi paJehovha, yaiva patende rekusangana, ndokupa pairi zvipo zvinopiswa churu.
  11202. 2Ch 1:7 Muusiku ihwohwo Mwari wakaonekwa kuna Soromoni, ndokuti kwaari: Kumbira chandingakupa.
  11203. 2Ch 1:8 Soromoni ndokuti kuna Mwari: Imwi makaitira baba vangu Dhavhidhi ngoni huru, uye makandiita ndive mambo pachinzvimbo chavo.
  11204. 2Ch 1:9 Ikozvino Jehovha Mwari, shoko renyu kuna Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti imwi makandiita mambo pamusoro pevanhu vakaita seguruva repasi kuwanda.
  11205. 2Ch 1:10 Ikozvino ndipei njere neruzivo kuti ndibude uye ndipinde pamberi pevanhu ava; nokuti ndiani angatonga vanhu venyu ava vakakura?
  11206. 2Ch 1:11 Mwari ndokuti kuna Soromoni: Nokuti ichi changa chiri mumoyo mako, uye hauna kukumbira fuma, ufumi, nekukudzwa, kana upenyu hwevavengi vako, uye hauna kukumbira mazuva mazhinji, asi wakazvikumbirira njere neruzivo, kuti ugotonga vanhu vangu, vandakakuita mambo pamusoro pavo:
  11207. 2Ch 1:12 Njere neruzivo zvinopiwa kwauri, nefuma, neufumi, nerukudzo ndinokupa, zvekuti hakuna kumbova nezvakadaro kumadzimambo aiva mberi kwako, uye shure kwako hakuchazovi nezvakadaro.
  11208. 2Ch 1:13 Zvino Soromoni wakauya kubva panzvimbo yakakwirira yaiva paGibhiyoni kubva pamberi petende rekusangana, akasvika Jerusarema, ndokutonga pamusoro paIsraeri.
  11209. 2Ch 1:14 Zvino Soromoni wakaunganidza ngoro nevatasvi vemabhiza. Zvino waiva nengoro churu nemazana mana, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro uye pamwe namambo paJerusarema.
  11210. 2Ch 1:15 Mambo ndokuita sirivha negoridhe paJerusarema zvikaita semabwe, nemisidhari akaiita semionde iri pamipata kuwanda.
  11211. 2Ch 1:16 Zvino mabhiza aiva aSoromoni aibva kuEgipita, nemucheka wakapfava, vatengesi vamambo vaiutora mucheka wakapfava nemutengo.
  11212. 2Ch 1:17 Zvino vakakwidza vachibudisa kubva muEgipita, ngoro pamashekeri esirivha mazana matanhatu, nebhiza pamashekeri zana nemakumi mashanu; saizvozvowo kumadzimambo ose evaHiti nemadzimambo evaSiriya vakabudisa neruoko rwavo.
  11213. 2Ch 2:1 Zvino Soromoni wakaraira kuvakira zita raJehovha imba, neimba yeushe hwake.
  11214. 2Ch 2:2 Soromoni ndokuverenga varume zvuru makumi manomwe kutakura mitoro, nevarume zvuru makumi masere kuveza pamakomo, nezvuru zvitatu nemazana matanhatu kuva vatariri pamusoro pavo.
  11215. 2Ch 2:3 Zvino Soromoni wakatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, achiti: Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, ndokuvatumira misidhari yekuzvivakira imba yekugaramo, ndiitireiwo.
  11216. 2Ch 2:4 Tarirai, ini ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kupisira pamberi pake zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvehwema hunonhuhwira, neyezvingwa zvekuratidza rinhi narinhi, neyezvipo zvinopiswa mangwanani nemadekwani, pamasabata nepakugara kwemwedzi nepamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Ichi chimiso chekusingaperi kwaIsraeri.
  11217. 2Ch 2:5 Zvino imba yandinovaka ihuru; nokuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
  11218. 2Ch 2:6 Asi ndiani ane simba kumuvakira imba, nokuti matenga, iwo matenga ematenga zvaasingagoni kumuringana? Zvino ini ndini ani kuti ndimuvakire imba, kunze kwekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi pake?
  11219. 2Ch 2:7 Naizvozvo ikozvino tumirai kwandiri murume nyanzvi yekushanda negoridhe uye nesirivha uye nendarira uye nematare uye nemicheka yeruvara rwehute nemitsvuku neyeruvara rwedenga, uye ane umhizha kufombora zvifomborwa, pamwe nevachenjeri vaneni paJudha nepaJerusarema, baba vangu Dhavhidhi vavakamisa.
  11220. 2Ch 2:8 Nditumireiwo miti yemisidhari, misipiresi, nematanda emiarigumi yepaRebhanoni; nokuti ini ndinoziva kuti varanda venyu vanoziva kutema matanda paRebhanoni. Uye tarirai varanda vangu vachava nevaranda venyu,
  11221. 2Ch 2:9 kundigadzirirawo matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndovaka ichava huru uye inoshamisa.
  11222. 2Ch 2:10 Uye tarirai, ndichapa varanda venyu, vatemi ivo vanotema matanda, zviyero zvine zvuru makumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zvuru makumi maviri zvebhari, nemabhati ane zvuru makumi maviri ewaini, nemabhati ane zvuru makumi maviri emafuta.
  11223. 2Ch 2:11 Zvino Hurami mambo weTire wakapindura mukunyora kwaakatumira kuna Soromoni: Nokuti Jehovha wakada vanhu vake wakakuisa kuva mambo pamusoro pavo.
  11224. 2Ch 2:12 Zvino Hurami wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari waIsraeri, iye wakaita matenga nepasi, iye wakapa mambo Dhavhidhi mwanakomana wakachenjera, anoziva njere neruzivo, anovakira Jehovha imba, uye imba yeushe hwake.
  11225. 2Ch 2:13 Zvino ikozvino ndatumira murume nyanzvi anoziva kunzwisisa, Hurami Abhi,
  11226. 2Ch 2:14 mwanakomana wemukadzi pavakunda vaDhani, baba vake waiva murume weTire, anoziva kushanda negoridhe, uye nesirivha, nendarira, nematare, nemabwe, uye nematanda, nezveruvara rwehute, nezveruvara rwedenga, uye nemucheka wakaisvonaka, uye nemitsvuku; nekufombora chifomborwa chipi nechipi, nekufunga mano ose anopiwa kwaari, pamwe nenyanzvi dzenyu nenyanzvi dzashe wangu Dhavhidhi baba vako.
  11227. 2Ch 2:15 Naizvozvo zvino gorosi, nebhari, mafuta, newaini, ishe wangu zvaareva, ngaazvitumire kuvaranda vake.
  11228. 2Ch 2:16 Zvino isu tichatema matanda kubva paRebhanoni zvichienderana nezvamunoshaiwa zvose; uye tichaauisa kwamuri nekuyeredza negungwa kuJopa; uye imwi muchaakwidza kuJerusarema.
  11229. 2Ch 2:17 Zvino Soromoni wakaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsraeri, zvichitevera kuverengwa Dhavhidhi baba vake kwaaiva avaverenga nako, ndokuwanikwa zvuru zana nemakumi mashanu nezvitatu nemazana matanhatu.
  11230. 2Ch 2:18 Zvino wakaita pavari vatakuri vemitoro zvuru makumi manomwe, nezvuru makumi masere vatemi pamakomo, uye zvuru zvitatu nemazana matanhatu kuva vatariri kushandisa vanhu.
  11231. 2Ch 3:1 Zvino Soromoni wakatanga kuvaka imba yaJehovha paJerusarema mugomo reMoria, [Jehovha] paakazviratidza kuna Dhavhidhi baba vake, panzvimbo Dhavhidhi paaiva agadzirira, paburiro raOrinani muJebhusi.
  11232. 2Ch 3:2 Zvino wakatanga kuvaka nerepiri remwedzi wechipiri, negore rechina rekutonga kwake.
  11233. 2Ch 3:3 Zvino idzi inheyo dzaSoromoni kuvaka imba yaMwari. Urefu pamakubhiti nechiyero chekutanga hwaiva makubhiti makumi matanhatu, neupamhi makubhiti makumi maviri.
  11234. 2Ch 3:4 Neberere raiva pamberi; urefu hwaiva hwuchienderana neupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, nekukwirira makubhiti zana nemakumi maviri; ndokuidzudzura nechemukati negoridhe rakazara.
  11235. 2Ch 3:5 Zvino imba huru wakaifukidza nematanda emusipiresi aakadzudzura negoridhe rakanaka, ndokuisa pairi michindwe nemaketani.
  11236. 2Ch 3:6 Zvino wakadzudzura imba nemabwe anokosha kushongedza; uye goridhe raiva goridhe reParivhaimi.
  11237. 2Ch 3:7 Wakadzudzurawo imba, mapuranga, magwatidziro, nemadziro ayo, nemagonhi ayo negoridhe; ndokuvezera makerubhi pamadziro.
  11238. 2Ch 3:8 Zvino wakaita imba tsvene yedzitsvene; kureba kwayo kuchienderana neupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, neupamhi hwayo makubhiti makumi maviri; ndokuidzudzura negoridhe rakanaka, kumatarenda mazana matanhatu.
  11239. 2Ch 3:9 Neuremu hwembambo hwaiva mashekeri egoridhe makumi mashanu. Uye wakadzudzura makamuri ekumusoro negoridhe.
  11240. 2Ch 3:10 Nepaimba tsvene yedzitsvene wakaita makerubhi maviri nebasa rezvakavezwa; ndokuafukidza negoridhe.
  11241. 2Ch 3:11 Zvino mapapiro emakerubhi, kureba kwawo kwaiva makubhiti makumi maviri; bapiro rimwe raiva makubhiti mashanu richinanavira kumadziro eimba, nerimwe bapiro raiva makubhiti mashanu richinanavira kubapiro rerimwe kerubhi.
  11242. 2Ch 3:12 Nebapiro rerimwe kerubhi raiva makubhiti mashanu, richinanavira kumadziro eimba; nerimwe bapiro raiva makubhiti mashanu rakanamatirana nebapiro rerimwe kerubhi.
  11243. 2Ch 3:13 Mapapiro emakerubhi awa akatandavara makubhiti makumi maviri; uye amire nemakumbo awo nezviso zvawo zvikatarisa mumba.
  11244. 2Ch 3:14 Zvino wakaita vheiri nezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka; ndokuisa pariri makerubhi.
  11245. 2Ch 3:15 Wakaitawo pamberi peimba mbiru mbiri, kureba makubhiti makumi matatu nemashanu, nemusoro waiva pamusoro penhongonya yeimwe neimwe waiva makubhiti mashanu.
  11246. 2Ch 3:16 Wakaitawo maketani sepanzvimbo yeinzwi, ndokuisa pamisoro yembiru; ndokuita mapomegiranati zana ndokuisa pamaketeni.
  11247. 2Ch 3:17 Zvino wakamisa mbiru pamberi petembere, imwe kurudyi uye imwe kuruboshwe; ndokutumidza zita reyekurudyi Jakini, uye zita reyekuruboshwe Bhowazi.
  11248. 2Ch 4:1 Wakaitawo aritari yendarira, makubhiti makumi maviri urefu hwayo, uye makubhiti makumi maviri upamhi hwayo, uye makubhiti gumi kukwirira kwayo.
  11249. 2Ch 4:2 Wakaitawo gungwa rakanyunguduswa; raiva makubhiti gumi kubva pamahombekombe aro kusvika pamahombekombe aro, kupoteredza pose, uye kukwirira kwaro kwaiva makubhiti mashanu, nemutsara wemakubhiti makumi matatu waiva wakarikomberedza kupoteredza.
  11250. 2Ch 4:3 Nemufananidzo wenzombe waiva pasi paro, waiva wakarikomba-komba kupoteredza, gumi pakubhiti, kukomberedza gungwa kuripoteredza; mitsara miviri yenzombe yakaumbwa nekunyungudusa pakuumbwa kwaro nekunyungudusa.
  11251. 2Ch 4:4 Raiva rakamira pamusoro penzombe gumi nembiri; nhatu dzakatarisa kumaodzanyemba, uye nhatu dzakatarisa kumavirazuva, uye nhatu dzakatarisa kuchamhembe, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Zvino gungwa raiva pamusoro padzo pamusoro; uye shure kwadzo kose kwaiva mukati.
  11252. 2Ch 4:5 Neukobvu hwaro hwaiva upamhi hwechanza, nemucheto waro waiva sebasa remucheto wemukombe, seruva remusipiti; rakagamuchira rine mabhati zvuru zvitatu.
  11253. 2Ch 4:6 Wakaitawo madhishi ekugezera gumi, ndokuisa mashanu kurudyi nemashanu kuruboshwe kugezera maari; zvinhu zvavaipa kuva chipo chinopiswa vaizvigezera maari; asi gungwa raiva revapristi kugezeramo.
  11254. 2Ch 4:7 Wakaitawo zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe zvichienderana nekumiswa kwazvo, ndokuisa mutembere, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe.
  11255. 2Ch 4:8 Wakaitawo tafura gumi, ndokudziisa mutembere, shanu kurudyi uye shanu kuruboshwe. Ndokuita midziyo yegoridhe zana.
  11256. 2Ch 4:9 Wakaitawo chivanze chevapristi, nechivanze chikuru, nemagonhi echivanze, ndokudzudzura magonhi aro nendarira.
  11257. 2Ch 4:10 Zvino wakaisa gungwa kurutivi rwerudyi nechekumabvazuva, kwakatarisana nekuchamhembe.
  11258. 2Ch 4:11 Zvino Hurami wakaita hari, nefoshoro, nendiro dzekusasa. Hurami ndokupedza kuita basa raakaitira mambo Soromoni paimba yaMwari:
  11259. 2Ch 4:12 Mbiru mbiri, nendiro, nemisoro yaiva pamisoro yembiru mbiri, nemimbure miviri yekufukidza ndiro mbiri dzemisoro yaiva pamusoro wembiru;
  11260. 2Ch 4:13 nemapomegiranati mazana mana pamimbure miviri, mitsara miviri yemapomegiranati pamumbure umwe neumwe, kufukidza ndiro mbiri dzemisoro yaiva pamusoro pechiso chembiru.
  11261. 2Ch 4:14 Akaitawo zvigadziko, akaitawo madhishi ekugezera pamusoro pezvigadziko;
  11262. 2Ch 4:15 gungwa rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi paro.
  11263. 2Ch 4:16 Nehari nefoshoro nezvibaiso zvenyama, nenhumbi dzose dzazvo, Hurami Abhi ndokuzviitira mambo Soromoni achiitira imba yaJehovha nendarira inobwinya.
  11264. 2Ch 4:17 Mambo akazviumba pabani raJoridhani pavhu rekuumba pakati peSukoti neZeredhata.
  11265. 2Ch 4:18 Saizvozvo Soromoni wakaita midziyo yose iyi muuwandu ukuru zvekuti uremu hwendarira hahuna kutsvakwa.
  11266. 2Ch 4:19 Zvino Soromoni wakaita midziyo yose yaiva muimba yaMwari, nearitari yegoridhe, nematafura, nezvingwa zvekuratidza paari;
  11267. 2Ch 4:20 nezvigadziko zvemwenje nemwenje yazvo zvegoridhe rakazara, kuti ipfute zvichienderana nechimiso pamberi penzvimbo yeinzwi;
  11268. 2Ch 4:21 nemaruva, nemwenje, nembato, goridhe, raiva goridhe rakazara;
  11269. 2Ch 4:22 nezvibatiso, nendiro dzekusasa, nemikombe, nezvaenga zvemoto, zvegoridhe rakazara; nepamukova weimba, magonhi ayo emukati enzvimbo tsvene yedzitsvene; nemagonhi eimba yetembere zvaiva zvegoridhe.
  11270. 2Ch 5:1 Zvino basa rose Soromoni raakaitira imba yaJehovha rakapera. Soromoni ndokupinza zvinhu Dhavhidhi baba vake zvavaiva vatsvenesa, nesirivha, negoridhe, nenhumbi dzose, akaisa pakati pedura refuma yeimba yaMwari.
  11271. 2Ch 5:2 Panguva iyoyo Soromoni wakaunganidza paJerusarema vakuru vaIsraeri, nemisoro yose yemarudzi, madzishe emadzibaba evana vaIsraeri, kukwidza areka yesungano yaJehovha kubva paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
  11272. 2Ch 5:3 Varume vose vaIsraeri ndokuungana kuna mambo pamabiko aivako mumwedzi wechinomwe.
  11273. 2Ch 5:4 Nevakuru vose vaIsraeri vakauya; vaRevhi ndokusimudza areka.
  11274. 2Ch 5:5 Zvino vakakwira neareka, netende rekusangana, nemidziyo yose mitsvene yaiva mutende. Vapristi, vaRevhi vakakwira neizvi.
  11275. 2Ch 5:6 Namambo Soromoni, neungano yose yaIsraeri yaiva yaunganira kwaari pamberi peareka, vakabaira makwai nenzombe zvaiva zvisingagoni kuverengwa kana kurahwa neuwandu.
  11276. 2Ch 5:7 Zvino vapristi vakapinza areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo yeinzwi yeimba, kunzvimbo tsvene yedzitsvene, kusvika pasi pemapapiro emakerubhi.
  11277. 2Ch 5:8 Nokuti makerubhi akatandavadza mapapiro pamusoro penzvimbo yeareka; uye makerubhi akafukidza areka nezvibatiso zvayo kumusoro.
  11278. 2Ch 5:9 Zvino vakavhomora zvibatiso, kusvika micheto yezvibatiso yoonekwa kubva paareka pamberi penzvimbo yeinzwi; asi aiva asingaonekwi nechekunze; zviripo ipapo kusvika nhasi.
  11279. 2Ch 5:10 Maiva musina chinhu muareka kunze kwemahwendefa maviri Mozisi aaiva aisamo paHorebhu, apo Jehovha paakaita sungano nevana vaIsraeri pakubuda kwavo paEgipita.
  11280. 2Ch 5:11 Zvino zvakaitika vapristi pavakabuda panzvimbo tsvene-nokuti vapristi vose vaivapo vaiva vazviita vatsvene, vasina kuchengetedza mapoka;
  11281. 2Ch 5:12 nevaRevhi, vaimbi, vose vaAsafi, vaHemani, vaJedhutuni, pamwe nevanakomana vavo, nevananin’ina vavo, vakapfeka mucheka wakaisvonaka, vane makandira, nemitengeranwa, nembira, vakamira kumabvazuva earitari, uye pamwe navo vapristi zana nemakumi maviri, vachiridza hwamanda.
  11282. 2Ch 5:13 Zvino zvakaitika varidzi vehwamanda nevaimbi pakavanzwisa inzwi rimwe pamwe chete, kurumbidza nekuvonga Jehovha, uye pavakasimudza inzwi pamwe nehwamanda, nemakandira, nemidziyo yekuimbisa pakurumbidza Jehovha, nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nekusingaperi, kuti imba yakazara negore, imba yaJehovha.
  11283. 2Ch 5:14 Vapristi ndokusagona kumira kushumira nekuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.
  11284. 2Ch 6:1 Ipapo Soromoni wakati: Jehovha wati achagara murima gobvu.
  11285. 2Ch 6:2 Asi ini ndakuvakirai imba yeugaro, nenzvimbo yakamiswa yeugaro hwenyu rinhi narinhi.
  11286. 2Ch 6:3 Zvino mambo wakatendeudza chiso chake, ndokuropafadza ungano yose yaIsraeri; ungano yose yaIsraeri ndokumira.
  11287. 2Ch 6:4 Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari waIsraeri, iye wakataura nemuromo wake kuna Dhavhidhi baba vangu uye nemaoko ake wakazadzisa achiti:
  11288. 2Ch 6:5 Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu kubva panyika yeEgipita, handina kusarudza guta pakati pemarudzi ose aIsraeri kuvaka imba kuti zita rangu rivepo, uye handina kusarudza munhu kuti ave mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri.
  11289. 2Ch 6:6 Asi ndakasarudza Jerusarema, kuti zita rangu rivepo, uye ndakasarudza Dhavhidhi kuti ave pamusoro pevanhu vangu Israeri.
  11290. 2Ch 6:7 Zvino zvaiva mumoyo maDhavhidhi baba vangu kuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.
  11291. 2Ch 6:8 Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu: Sezvazvanga zviri mumoyo mako kuvakira zita rangu imba, waita zvakanaka kuti zvanga zviri mumoyo mako.
  11292. 2Ch 6:9 Kunyange zvakadaro haungavaki imba iwe; asi mwanakomana wako achabuda muchiuno chako, ndiye achavakira zita rangu imba.
  11293. 2Ch 6:10 Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ndamuka pachinzvimbo chaDhavhidhi baba vangu, ndigere pachigaro cheushe chaIsraeri, Jehovha sezvaakataura, uye ndavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.
  11294. 2Ch 6:11 Zvino ndaisapo areka, pane sungano yaJehovha yaakaita nevana vaIsraeri.
  11295. 2Ch 6:12 Zvino wakamira pamberi pearitari yaJehovha pakatarisana neungano yose yaIsraeri, ndokutandavadza maoko ake.
  11296. 2Ch 6:13 Nokuti Soromoni waiva aita pekumira pakakwirira pendarira, urefu hwapo hwaiva makubhiti mashanu, neupamhi hwapo makubhiti mashanu, nekukwirira kwapo makubhiti matatu, ndokuisa pakati pechivanze; ndokumira pamusoro papo, ndokufugama nemabvi ake pamberi peungano yose yaIsraeri, ndokutandavadzira maoko ake kumatenga,
  11297. 2Ch 6:14 ndokuti: Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna Mwari wakaita semwi kumatenga nepasi, anochengetedza sungano nengoni kuvaranda venyu vanofamba pamberi penyu nemoyo wavo wose.
  11298. 2Ch 6:15 Imwi makachengetera muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu izvo zvamakataura kwaari, uye makataura nemuromo wenyu ndokuzadzisa neruoko rwenyu sanhasi.
  11299. 2Ch 6:16 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsraeri, chengetedzerai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu izvo zvamakamutaurira muchiti: Hakungashaikwi munhu kwauri pamberi pechiso changu achagara pachigaro cheushe chaIsraeri, koga kana vana vako vakachenjerera nzira yavo kufamba mumurairo wangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.
  11300. 2Ch 6:17 Zvino ikozvino, Jehovha Mwari waIsraeri, shoko renyu ngarisimbiswe ramakataura kumuranda wenyu kuna Dhavhidhi.
  11301. 2Ch 6:18 Asi chokwadi Mwari angagara nevanhu panyika here? Tarirai matenga, hongu matenga ematenga haangakuringanii; kuzotiwo imba ino yandakavaka!
  11302. 2Ch 6:19 Asi tendeukirai kumunyengetero wemuranda wenyu nekumukumbiro wake, Jehovha Mwari wangu, kuteerera kudana nemunyengetero muranda wenyu waanonyengetera pamberi penyu.
  11303. 2Ch 6:20 Kuti meso enyu azarurikire pamusoro peimba iyi masikati neusiku, panzvimbo yamakati pamusoro payo muchaisa zita renyupo, kuteerera kumunyengetero muranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.
  11304. 2Ch 6:21 Naizvozvo teererai kumukumbiro wemuranda wenyu newevanhu venyu Israeri wavachanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino; naizvozvo inzwai imwi muri kunzvimbo yenyu yekugara, muri kumatenga, hongu inzwai, mukanganwire.
  11305. 2Ch 6:22 Kana munhu akatadzira umwe wake, mhiko ikatakudzwa pamusoro pake kumupikisa, mhiko ndokupinda pamberi pearitari yenyu muimba ino,
  11306. 2Ch 6:23 zvino imwi inzwai muri kumatenga, muite mutonge varanda venyu, nekutsiva wakaipa, nekupa nzira yake pamusoro wake, uye nekuchenesa wakarurama, kumupa zvinoenderana nekururama kwake.
  11307. 2Ch 6:24 Zvino kana vanhu venyu Israeri vachirohwa pamberi pemuvengi nekuda kwekuti vakakutadzirai, zvino vakadzoka vakabvuma zita renyu uye vakanyengetera nekuita mukumbiro pamberi penyu muimba ino;
  11308. 2Ch 6:25 zvino imwi inzwai muri kumatenga, uye mukanganwire chivi chevanhu venyu Israeri, mugovadzosa kunyika yamakavapa ivo nemadzibaba avo.
  11309. 2Ch 6:26 Panenge pakapfigwa matenga, uye kusina mvura, nekuda kwekuti vakakutadzirai, kana vakanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, vakabvuma zita renyu, vakatendeuka kubva pachivi chavo, kana mavatambudza;
  11310. 2Ch 6:27 zvino imwi inzwai muri kumatenga, mugokanganwira chivi chevaranda venyu nechevanhu venyu Israeri, kana mavadzidzisa nzira yakanaka mavanofanira kufamba mairi, uye mutumire mvura pamusoro penyika yenyu yamakapa vanhu venyu ive nhaka.
  11311. 2Ch 6:28 Kana pane nzara panyika, kana pane denda, kana kune kupisa, nenyunje, mhashu, nemakonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika nesuwo ravo; nyatwa ipi neipi kana hosha ipi neipi.
  11312. 2Ch 6:29 Munyengetero upi neupi, mukumbiro upi neupi uchaitwa nemunhu upi neupi, kana nevanhu venyu vose Israeri, apo vaziva uyo neuyo dambudziko rake nemarwadzo ake, zvino akatandavadzira maoko ake kuimba ino;
  11313. 2Ch 6:30 zvino imwi inzwai muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara, mugokanganwira, uye mupe umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake dzose, sezvo muchiziva moyo wake, nokuti ndimwi moga munoziva moyo wevana vevanhu;
  11314. 2Ch 6:31 kuti vakutyei, kufamba munzira dzenyu mazuva ose avanorarama pachiso chenyika yamakapa madzibaba edu.
  11315. 2Ch 6:32 Zvinowo maererano nemutorwa, asiri wevanhu venyu Israeri, asi wakabva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu guru, nechanza chenyu chine simba, neruoko rwenyu rwakatandavadzwa; kana vakauya vakanyengetera vakatarira kuimba ino;
  11316. 2Ch 6:33 zvino imwi inzwai muri kumatenga, muri kunzvimbo yenyu yekugara, mugoita zvinoenderana nezvose mutorwa zvaanodana kwamuri, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vagokutyai, sevanhu venyu Israeri, uye kuziva kuti zita renyu rinodanwa pamusoro peimba ino yandakavaka.
  11317. 2Ch 6:34 Kana vanhu venyu vakabudira kuhondo kurwisa vavengi vavo nenzira yamuchavatuma nayo, zvino vakanyengetera kwamuri vakatarisa kuguta iri ramakasarudza, nekuimba yandakavakira zita renyu;
  11318. 2Ch 6:35 zvino inzwai muri kumatenga munyengetero wavo nemukumbiro wavo, mugoita mutongo wavo.
  11319. 2Ch 6:36 Kana vakakutadzirai; nokuti hakuna munhu asingatadzi; zvino mukavatsamwira, mukavapa pamberi pemuvengi, ivo ndokuvatapa kuvatapira kunyika iri kure kana pedo.
  11320. 2Ch 6:37 Kana vakazozvifunga panyika kwavakatapirwa, zvino vakadzoka vakanyengetera kwamuri panyika yeutapwa hwavo, vachiti: Takatadza, takaita zvisakarurama, uye taita zvakaipa;
  11321. 2Ch 6:38 kana vakadzokera kwamuri nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose panyika yeutapwa hwavo kwavakavatapira, ndokunyengetera vakatarisa kunyika yavo, yamakapa kumadzibaba avo, nekuguta ramakasarudza, uye nekuimba yandakavakira zita renyu;
  11322. 2Ch 6:39 zvino inzwai muri kumatenga, muri panzvimbo yenyu yekugara, munyengetero wavo nemikumbiro yavo, uye muite mutongo wavo mugokanganwira vanhu venyu vakakutadzirai.
  11323. 2Ch 6:40 Zvino Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure hawo, nenzeve dzenyu dziteerere kumunyengetero wenzvimbo ino.
  11324. 2Ch 6:41 Zvino ikozvino simukai, Jehovha Mwari, mupinde munzvimbo yenyu yekuzorora, imwi neareka yesimba renyu; vapristi venyu Jehovha Mwari ngavafukidzwe neruponeso, nevatsvene venyu ngavafare nezvakanaka.
  11325. 2Ch 6:42 Jehovha Mwari, musafuratidza chiso chemuzodzwa wenyu; rangarirai kunaka kwaDhavhidhi muranda wenyu.
  11326. 2Ch 7:1 Zvino Soromoni paakapedza kunyengetera, moto ndokuburuka kubva kumatenga ndokupedza chipo chinopiswa nezvibairo; kubwinya kwaJehovha ndokuzadza imba.
  11327. 2Ch 7:2 Zvino vapristi vaiva vasingagoni kupinda muimba yaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kwaiva kwazadza imba yaJehovha.
  11328. 2Ch 7:3 Vana vaIsraeri vose pavakaona kuburuka kwemoto, uye kubwinya kwaJehovha pamusoro peimba, vakakotamira pasi nezviso pakarongerwa mabwe, ndokunamata nekurumbidza Jehovha vachiti: Nokuti wakanaka. Nokuti kunaka kwake kuripo rinhi narinhi.
  11329. 2Ch 7:4 Mambo nevanhu vose ndokupa zvibairo pamberi paJehovha.
  11330. 2Ch 7:5 Zvino mambo Soromoni wakapa chibairo chenzombe zvuru makumi maviri nezviviri, nemakwai zvuru zana nemakumi maviri. Saizvozvo mambo nevanhu vose vakatsaura imba yaMwari.
  11331. 2Ch 7:6 Zvino vapristi vakamira pazvinzvimbo zvavo, nevaRevhi vane midziyo yekuimbisa yaJehovha, Dhavhidhi mambo zvaaiva aita, kuvonga Jehovha nazvo, nokuti kunaka kwake kuripo rinhi narinhi, Dhavhidhi paakarumbidza neshumiro yavo; uye vapristi vakaridza hwamanda pamberi pavo; Israeri wose ndokumira.
  11332. 2Ch 7:7 Soromoni wakaitawo patsvene pakati pechivanze chaiva pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakapa zvipo zvinopiswa, nemafuta ezvipo zvekuyananisa; nokuti aritari yendarira Soromoni yaakaita yaiva isingagoni kuringana chipo chinopiswa, nechipo chechidyiwa, nemafuta.
  11333. 2Ch 7:8 Uye panguva iyoyo Soromoni wakachengetedza mabiko mazuva manomwe, naIsraeri wose anaye, ungano huru kwazvo, kubva pakupinda paHamati kusvika parukova rweEgipita.
  11334. 2Ch 7:9 Zvino pazuva resere vakaita ungano yakadzama; nokuti vakaita kutsaurwa kwearitari mazuva manomwe, uye mabiko mazuva manomwe.
  11335. 2Ch 7:10 Zvino pazuva remakumi maviri nematatu remwedzi wechinomwe wakaendesa vanhu kumatende avo, vachifara uye vachipemberera mumoyo nekuda kwekunaka Jehovha kwaaiva aita kuna Dhavhidhi nekuna Soromoni nekuna Israeri vanhu vake.
  11336. 2Ch 7:11 Saizvozvo Soromoni wakapedza imba yaJehovha, neimba yamambo. Nezvose zvakauya pamoyo paSoromoni kuita muimba yaJehovha nemuimba yake wakazvibudiririsa.
  11337. 2Ch 7:12 Zvino Jehovha wakaonekwa kuna Soromoni neusiku, ndokuti kwaari: Ndanzwa munyengetero wako, uye ndazvisarudzira nzvimbo ino kuva imba yechibairo.
  11338. 2Ch 7:13 Kana ndikapfiga matenga kuti kusava nemvura, uye kana ndikaraira mhashu kupedza nyika, uye kana ndikatuma denda pakati pevanhu vangu,
  11339. 2Ch 7:14 kana vanhu vangu avo zita rangu rinodanwa pamusoro pavo vakazvininipisa, uye vakanyengetera, nekutsvaka chiso changu, nekutendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, zvino ini ndichanzwa ndiri kumatenga uye ndichakanganwira chivi chavo, uye ndichaporesa nyika yavo.
  11340. 2Ch 7:15 Zvino meso angu achazaruka, uye nzeve dzangu dzichateerera munyengetero wenzvimbo ino.
  11341. 2Ch 7:16 Nokuti zvino ndasarudza nekuita tsvene imba ino, kuti zita rangu rivepo rinhi narinhi, hongu, meso angu nemoyo wangu zvichavapo mazuva ose.
  11342. 2Ch 7:17 Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu, Dhavhidhi baba vako sezvavakafamba, nekuita zvinoenderana nezvose zvandakakuraira, nekuchengeta zvimiso zvangu nemitongo yangu,
  11343. 2Ch 7:18 ipapo ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwako, sekuita kwangu sungano naDhavhidhi baba vako, ndichiti: Haungashaiwi munhu achabata ushe kwaIsraeri.
  11344. 2Ch 7:19 Asi kana imwi mukatsauka, mukasiya zvimiso zvangu nemirairo yangu zvandakaisa pamberi penyu, uye mukaenda mukanoshumira vamwe vamwari ndokuvanamata;
  11345. 2Ch 7:20 zvino ndichavadzura kubva panyika yangu yandakavapa; neimba iyi yandakatsvenesera zita rangu ndichairasa ibve pamberi pangu; uye ndichaiita tsumo nechibayo pakati pemarudzi ose.
  11346. 2Ch 7:21 Neimba iyi yakakwirira ichava chishamiso kune uyo neuyo anopfuura pairi kusvika ati: Jehovha wakaitirei zvakadai kunyika iyi nekuimba iyi?
  11347. 2Ch 7:22 Zvino vachati: Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeEgipita, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata nekuvashumira; nekuda kweizvozvo wavawisira chakaipa chose ichi.
  11348. 2Ch 8:1 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore makumi maviri Soromoni aakavaka nawo imba yaJehovha neimba yake,
  11349. 2Ch 8:2 kuti maguta Hurami aaiva apa Soromoni, Soromoni wakaavaka ndokugarisako vana vaIsraeri.
  11350. 2Ch 8:3 Soromoni ndokuenda kuHamati-Zobha, ndokurikunda.
  11351. 2Ch 8:4 Zvino wakavaka Tadhimori murenje, nemaguta ose ematura aaiva avaka paHamati.
  11352. 2Ch 8:5 Zvino wakavaka Bheti-Horoni rekumusoro neBheti-Horoni rezasi, maguta akashoshewa nemasvingo, ane magonhi nemazariro;
  11353. 2Ch 8:6 neBhaarati, nemaguta ose ematura Soromoni aaiva nawo, nemaguta ose engoro, nemaguta evatasvi vemabhiza, nechishuwo chose chaSoromoni chaakashuva nacho kuvaka paJerusarema nepaRebhanoni nepanyika yose yeushe hwake.
  11354. 2Ch 8:7 Vanhu vose vakasara pavaHiti, nevaAmori, nevaPerizi, nevaHivhi, nevaJebhusi, vaiva vasiri veIsraeri;
  11355. 2Ch 8:8 pavana vavo vaiva vasara shure kwavo panyika, vana vaIsraeri vavasina kupedza, Soromoni wakavasimudza kuva chibharo kusvika nhasi.
  11356. 2Ch 8:9 Asi pavana vaIsraeri Soromoni haana kuvaita varanda vebasa rake; asi ivo vaiva varume vehondo nevakuru vevatungamiriri vehondo vake, nevarairi vengoro dzake, nevatasvi vemabhiza ake.
  11357. 2Ch 8:10 Zvino ava vaiva misoro yemachinda amambo Soromoni, mazana maviri nemakumi mashanu, vaitonga vanhu.
  11358. 2Ch 8:11 Zvino Soromoni wakakwidza mukunda waFarao kubva muguta raDhavhidhi kumuisa kuimba yaaiva amuvakira; nokuti wakati: Mukadzi wangu haangagari muimba yaDhavhidhi mambo waIsraeri, nokuti inzvimbo tsvene dzakasvika areka yaJehovha.
  11359. 2Ch 8:12 Ipapo Soromoni wakapa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha paaritari yaJehovha, yaaiva avaka pamberi peberere.
  11360. 2Ch 8:13 Izvo zvakatarirwa zuva nezuva, achipa zvichienderana nemurairo waMozisi, pamasabata, nepakugara kwemwedzi, nepamitambo yakadzama, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisina mbiriso, nepamutambo wemavhiki, nepamutambo wematumba.
  11361. 2Ch 8:14 Zvino wakagadza zvichienderana nechimiso chaDhavhidhi baba vake, mapoka evapristi pamabasa avo, nevaRevhi pangava ravo, kurumbidza nekushumira pamberi pevapristi, zvichienderana nechinhu chezuva pazuva racho, nevachengeti vemikova pamapoka avo pasuwo rimwe nerimwe; nokuti saizvozvo waiva murairo waDhavhidhi munhu waMwari.
  11362. 2Ch 8:15 Zvino havana kutsauka pamurairo wamambo kuvapristi nevaRevhi maererano nechinhu chose nemaererano nezvakakosha.
  11363. 2Ch 8:16 Zvino basa rose raSoromoni rakagadzirwa kusvika pazuva rekuteiwa kweimba yaJehovha uye kusvika pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera.
  11364. 2Ch 8:17 Ipapo Soromoni wakaenda kuEziyoni-Gebheri nekuEroti, pamahombekombe egungwa panyika yaEdhomu.
  11365. 2Ch 8:18 Hurami ndokumutumira neruoko rwevaranda vake zvikepe nevaranda vaiva neruzivo rwegungwa; ndokuenda nevaranda vaSoromoni kuOfiri, ndokutorapo matarenda mazana mana nemakumi mashanu egoridhe, ndokuunza kuna mambo Soromoni.
  11366. 2Ch 9:1 Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, wakauya kuJerusarema kuzoedza Soromoni nemibvunzo mikukutu, nechaunga chikuru kwazvo, nemakamera akatakura zvinonhuhwira, negoridhe neuwandu, nemabwe anokosha; paakasvika kuna Soromoni, wakataura naye zvose zvaiva mumoyo make.
  11367. 2Ch 9:2 Soromoni ndokumutsanangurira mashoko ake ose; uye kwaiva kusina chinhu chakavanda kuna Soromoni chaasina kumutsanangurira.
  11368. 2Ch 9:3 Mambokadzi weShebha paakaona kuchenjera kwaSoromoni, neimba yaakavaka,
  11369. 2Ch 9:4 nezvekudya zvetafura yake, nekugara kwevaranda vake, nekumira kwevashumiri vake, nezvipfeko zvavo, nevabati vemikombe vake, nezvipfeko zvavo, nechikwiriso chake chaakwira nacho kuimba yaJehovha, zvino mukasava nemweya maari.
  11370. 2Ch 9:5 Zvino wakati kuna mambo: Guhu randakanzwa munyika yangu renyaya yenyu neuchenjeri hwenyu raiva rechokwadi.
  11371. 2Ch 9:6 Asi handina kutenda mashoko avo kusvika ndauya, uye meso angu aona; zvino tarirai, hafu yeukuru hweuchenjeri hwenyu handina kuiudzwa. Munopfuura guhu randakanzwa.
  11372. 2Ch 9:7 Varume venyu vanofara, uye varanda venyu ava vanofara, vamire pamberi penyu nguva dzose, vachinzwa uchenjeri hwenyu.
  11373. 2Ch 9:8 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye wakafadzwa nemwi, kukuisai pachigaro chake cheushe, kuva mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu wakada Israeri, kumusimbisa kusvika rinhi narinhi, naizvozvo wakakuisai muve mambo pamusoro pavo kuti muite mutongo nekururama.
  11374. 2Ch 9:9 Zvino wakapa mambo matarenda zana nemakumi maviri egoridhe, nezvinonhuhwira neuzhinji ukuru, nemabwe anokosha; uye hakuna kuvapo zvinonhuhwira zvakadai, mambokadzi weShebha zvaakapa mambo Soromoni.
  11375. 2Ch 9:10 Nevaranda vaHuramiwo nevaranda vaSoromoni vakauisa goridhe kubva Ofiri, vakauya nemiti yemiarigumi nemabwe anokosha.
  11376. 2Ch 9:11 Mambo ndokuita nematanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha nezveimba yamambo, nembira nemitengeranwa zvevaimbi; uye hakuna kumboonekwa nezvakadaro munyika yaJudha.
  11377. 2Ch 9:12 Mambo Soromoni ndokupa mambokadzi weShebha chishuvo chake chose chaakakumbira, kunze kweizvo zvaaiva auya nazvo kuna mambo. Naizvozvo wakatendeuka ndokuenda kunyika yake, iye nevaranda vake.
  11378. 2Ch 9:13 Zvino uremu hwegoridhe rakauya kuna Soromoni mugore rimwe chete hwaiva matarenda mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu egoridhe;
  11379. 2Ch 9:14 kunze kwezvavakauya nazvo kubva kuvatengi nekuvatengesi; nemadzimambo ose eArabhiya nevabati venyika vakauya negoridhe nesirivha kuna Soromoni.
  11380. 2Ch 9:15 Mambo Soromoni wakaita nhovo huru mazana maviri, goridhe rakapfurwa; mashekeri mazana matatu egoridhe akaenda panhovo huru imwe.
  11381. 2Ch 9:16 Nenhovo diki mazana matatu dzegoridhe rakapfurwa; mashekeri mazana matatu egoridhe akaenda panhovo imwe; mambo ndokuzviisa muimba yesango reRebhanoni.
  11382. 2Ch 9:17 Mambo wakaitawo chigaro cheushe chikuru chenyanga dzenzou, ndokuchidzudzura negoridhe rakazara.
  11383. 2Ch 9:18 Zvino kwaiva nezvikwiriso zvitanhatu kuchigaro cheushe, nechitsiko chetsoka chegoridhe, zvakasunganidzwa nechigaro cheushe, uye zvizemberamaoko kuno neuko kwenzvimbo yekugara, uye shumba mbiri dzimire pedo nezvizemberamaoko.
  11384. 2Ch 9:19 Zvino paiva pamire shumba gumi nembiri ipapo kuno neuko pazvikwiriso zvitanhatu; hakuna kuitwa chakadai kune humwe ushe.
  11385. 2Ch 9:20 Nemidziyo yose yekunwira yamambo Soromoni yaiva yegoridhe, nemidziyo yose yeimba yesango reRebhanoni yaiva yegoridhe rakazara; sirivha yaiva isingaverengwi sechinhu pamazuva aSoromoni.
  11386. 2Ch 9:21 Nokuti zvikepe zvamambo zvaienda kuTarishishi pamwe nevaranda vaHurami; pamakore matatu oga-oga zvikepe zveTarishishi zvaiuya zvakatakura goridhe, nesirivha, nyanga dzenzou, nemakudo, nematendera.
  11387. 2Ch 9:22 Mambo Soromoni ndokuva mukuru kumadzimambo ose enyika pafuma nekuchenjera.
  11388. 2Ch 9:23 Zvino madzimambo ose epanyika akatsvaka chiso chaSoromoni kunzwa uchenjeri hwake Mwari hwaakaisa mumoyo make.
  11389. 2Ch 9:24 Zvino vakauya umwe neumwe nechipo chake, midziyo yesirivha, nemidziyo yegoridhe, nezvipfeko, zvombo, zvinonhuhwira, mabhiza, nemahesera, chinhu chegore pagore.
  11390. 2Ch 9:25 Zvino Soromoni waiva nezvidyiro zvemabhiza zvuru zvina, nengoro, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nekuna mambo paJerusarema.
  11391. 2Ch 9:26 Zvino wakatonga pamusoro pemadzimambo ose kubva parwizi kusvika panyika yevaFirisitia, nekusvika kumuganhu weEgipita.
  11392. 2Ch 9:27 Mambo ndokuita sirivha paJerusarema semabwe, nemisidhari wakaita semionde yaiva pamapani pauwandu.
  11393. 2Ch 9:28 Zvino vakabudisira Soromoni mabhiza kubva paEgipita, nekubva kunyika dzose.
  11394. 2Ch 9:29 Zvino dzimwe nyaya dzaSoromoni, dzekutanga nedzekupedzisira, hadzina kunyorwa here pamanzwi aNatani muporofita, nemuchiporofita chaAhiya muShiro, nemuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?
  11395. 2Ch 9:30 Soromoni wakatonga paJerusarema pamusoro paIsraeri wose makore makumi mana.
  11396. 2Ch 9:31 Soromoni ndokurara nemadzibaba ake; uye vakamuviga muguta raDhavhidhi baba vake. Rehobhoamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11397. 2Ch 10:1 Zvino Rehobhoamu wakaenda kuShekemu, nokuti Israeri wose waiva auya kuShekemu kumuita ave mambo.
  11398. 2Ch 10:2 Zvino zvakaitika Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paaiva muEgipita maaiva atizira kubva pachiso chaSoromoni mambo paakazvinzwa, kuti Jerobhoamu wakadzokera kubva kuEgipita.
  11399. 2Ch 10:3 Zvino vakatuma nhume idzo ndokumudana; Jerobhoamu naIsraeri wose ndokusvika ndokutaura naRehobhoamu vachiti:
  11400. 2Ch 10:4 Baba venyu vakaita kuti joko redu riome; zvino ikozvino, rerusai pabasa rakaoma rababa venyu, nepajoko rake rinorema raakaisa pamusoro pedu, zvino tichakushumirai.
  11401. 2Ch 10:5 Zvino wakati kwavari: Dzokai kwandiri mushure memazuva matatu. Vanhu ndokuenda.
  11402. 2Ch 10:6 Zvino mambo Rehobhoamu wakapangana zano nevakuru vaiva vamira pamberi paSoromoni baba vake pavaiva vachiri vapenyu, achiti: Munopanga zano ripi kupindura vanhu ava?
  11403. 2Ch 10:7 Zvino vakataura kwaari vachiti: Kana mukava makanaka kuvanhu ava, uye mukavafadza, uye mukataura mashoko akanaka kwavari, vachava varanda kwamuri mazuva ose.
  11404. 2Ch 10:8 Asi wakasiya zano revakuru ravaiva vamupanga, ndokupangana zano nevakomana vakakura pamwe naye, ivo vaimira mberi kwake.
  11405. 2Ch 10:9 Zvino wakati kwavari: Munopanga zano ripi, kuti tipindure vanhu ava vataura kwandiri vachiti: Rerusai pajoko baba venyu ravakaisa pamusoro pedu?
  11406. 2Ch 10:10 Zvino vakomana vakakura pamwe naye vakataura kwaari vachiti: Uchataura seizvi kuvanhu vataura kwauri vachiti: Baba venyu vaita kuti joko redu rireme, asi imwi tirerusirei; uchataura seizvi kwavari: Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
  11407. 2Ch 10:11 Naizvozvo zvino, baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurangai neshamhu, asi ini nezvinyavada.
  11408. 2Ch 10:12 Naizvozvo Jerobhoamu nevanhu vose vakauya kuna Rehobhoamu nezuva retatu, mambo sezvaaiva ataura achiti: Dzokai kwandiri nezuva retatu.
  11409. 2Ch 10:13 Zvino mambo wakavapindura neukasha; mambo Rehobhoamu ndokusiya zano revakuru;
  11410. 2Ch 10:14 ndokutaura kwavari zvichienderana nezano revakomana achiti: Baba vangu vakaita joko renyu rireme, asi ini ndichawedzera pane izvozvo; baba vangu vakakurangai neshamhu, asi ini nezvinyavada.
  11411. 2Ch 10:15 Naizvozvo mambo haana kuteerera kuvanhu; nokuti shanduko yaibva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura neruoko rwaAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
  11412. 2Ch 10:16 Zvino Israeri wose paakaona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu ndokupindura mambo vachiti: Tine mugove upi kuna Dhavhidhi? Uye hatina nhaka kumwanakomana waJese. Umwe neumwe kumatende ako, Israeri; zvino zvionere imba yako, Dhavhidhi. Naizvozvo Israeri wose vakaenda kumatende avo.
  11413. 2Ch 10:17 Asi vana vaIsraeri vaiva vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakatonga pamusoro pavo.
  11414. 2Ch 10:18 Zvino mambo Rehobhoamu wakatuma Hadhoramu waiva mutariri wevanhu vechibharo; vana vaIsraeri ndokumutaka nemabwe, iye ndokufa. Mambo Rehobhoamu ndokuzvisimbisa kukwira ngoro yake kutizira kuJerusarema.
  11415. 2Ch 10:19 Saizvozvo Israeri wakapandukira imba yaDhavhidhi kusvika zuva rino.
  11416. 2Ch 11:1 Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, wakaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, vakasarudzwa zvuru zana nemakumi masere, vairwa hondo, kurwisana naIsraeri, kuti adzose umambo kuna Rehobhoamu.
  11417. 2Ch 11:2 Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti:
  11418. 2Ch 11:3 Taura kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, nekuna Israeri wose muJudha naBhenjamini, uti:
  11419. 2Ch 11:4 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Hamungakwiri kana kurwisana nehama dzenyu; dzokera umwe neumwe kuimba yake; nokuti chinhu ichi chaitwa neni. Zvino vakateerera mashoko aJehovha, ndokudzoka pakunorwisa Jerobhoamu.
  11420. 2Ch 11:5 Rehobhoamu ndokugara paJerusarema, ndokuvaka maguta enhare paJudha.
  11421. 2Ch 11:6 Wakavakawo Bheterehemu, neEtami, neTekowa,
  11422. 2Ch 11:7 neBheti-Zuri, neSoko, neAdhuramu,
  11423. 2Ch 11:8 neGati, neMaresha, neZifi,
  11424. 2Ch 11:9 neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka,
  11425. 2Ch 11:10 neZora, neAjaroni, neHebhuroni, raiva kwaJudha naBhenjamini, maguta akashoshewa.
  11426. 2Ch 11:11 Zvino wakasimbisa nhare, ndokuisa madziri vatungamiriri, nematura ezvekudya, nemafuta, newaini.
  11427. 2Ch 11:12 Zvino muguta nemuguta ripi neripi wakaisa nhovo nemapfumo, ndokuasimbisa kwazvo-kwazvo. Judha naBhenjamini vaiva vari vake.
  11428. 2Ch 11:13 Nevapristi nevaRevhi vaiva pakati paIsraeri wose vakazvimisa kwaari vachibva kumigumo yavo yose.
  11429. 2Ch 11:14 Nokuti vaRevhi vakasiya mafuro avo nefuma yavo ndokuuya kwaJudha nekuJerusarema; nokuti Jerobhoamu nevanakomana vake vakavaramba pakushanda paupristi kuna Jehovha.
  11430. 2Ch 11:15 Iye ndokuzvimisira vapristi venzvimbo dzakakwirira nevemadhimoni nevemhuru dzaaiva aita.
  11431. 2Ch 11:16 Zvino shure kwavo kwakauya kuJerusarema avo vakapa moyo yavo kutsvaka Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva kumarudzi ose Israeri, kuzobaira Jehovha Mwari wemadzibaba avo.
  11432. 2Ch 11:17 Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, ndokutsigisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwemakore matatu; nokuti kwemakore matatu vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni.
  11433. 2Ch 11:18 Zvino Rehobhoamu wakazvitorera Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi kuva mukadzi, naAbhihairi mukunda waEriabhu mwanakomana waJese.
  11434. 2Ch 11:19 Iye wakamuberekera vanakomana: Jeushi, naShemaria, naZahami.
  11435. 2Ch 11:20 Zvino shure kwake wakatora Maaka mukunda waAbhusaromu. Uyo wakamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti.
  11436. 2Ch 11:21 Zvino Rehobhoamu wakada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose nevarongo vake; nokuti wakatora vakadzi gumi nevasere nevarongo makumi matanhatu; ndokubereka vanakomana makumi maviri nevasere nevanasikana makumi matanhatu.
  11437. 2Ch 11:22 Rehobhoamu ndokugadza Abhija mwanakomana waMaaka kuva musoro kutonga pakati pevana vababa vake; nokuti kwaiva kumuita mambo.
  11438. 2Ch 11:23 Zvino wakaita neuchenjeri ndokuparadzira pavanakomana vake vose munyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; ndokuvapa zvekudya zvakawanda. Ndokutsvaka chaunga chevakadzi.
  11439. 2Ch 12:1 Zvino zvakaitika Rehobhoamu paakasimbisa ushe, uye paaiva asimba, wakasiya murairo waJehovha, naIsraeri wose pamwe naye.
  11440. 2Ch 12:2 Zvino zvakaitika mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weEgipita wakakwira kurwisa Jerusarema, nokuti vakadarika kuna Jehovha,
  11441. 2Ch 12:3 ane ngoro churu nemazana maviri, uye ane vatasvi vemabhiza zvuru makumi matanhatu; nevanhu vaiva vasingaverengeki vaiva vauya naye kubva kuEgipita: VaRubhiya, VaSukimi, nevaItiyopiya.
  11442. 2Ch 12:4 Akakunda maguta akashoshewa aiva aJudha, ndokuuya kuJerusarema.
  11443. 2Ch 12:5 Zvino kwauya Shemaya muporofita kuna Rehobhoamu nemisoro yaJudha yaiva yakaungana paJerusarema nekuda kwaShishaki, ndokuti kwavari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Imwi makandisiya, saka ini ndakakusiyaiwo muruoko rwaShishaki.
  11444. 2Ch 12:6 Zvino machinda aIsraeri namambo vakazvininipisa, ndokuti: Jehovha wakarurama.
  11445. 2Ch 12:7 Zvino Jehovha paakaona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya richiti: Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndichavapa kusunungurwa kudiki; uye kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusarema neruoko rwaShishaki.
  11446. 2Ch 12:8 Asi vachava varanda vake, kuti vazive shumiro yangu neshumiro yeushe hwedzinyika.
  11447. 2Ch 12:9 Naizvozvo Shishaki mambo weEgipita wakakwira kurwisa Jerusarema, ndokutora zvinokosha zveimba yaJehovha nezvinokosha zveimba yamambo; wakatora zvose; wakatorawo nhovo diki dzegoridhe Soromoni dzaaiva aita.
  11448. 2Ch 12:10 Mambo Rehobhoamu ndokuita nhovo diki dzendarira pachinzvimbo chadzo, ndokupa pasi peruoko rwevakuru vevarindi, vaichengetedza mukova weimba yamambo.
  11449. 2Ch 12:11 Zvino mambo paaipinda muimba yaJehovha, varindi vaiuya ndokudzisimudza ndokudzidzosera mukamuri revarindi.
  11450. 2Ch 12:12 Zvino paakazvininipisa, kutsamwa kwaJehovha kwakadzoka kubva kwaari, kuti asaparadza kusvika pakupedza; uyewo kwaJudha kwakava nezvinhu zvakanaka.
  11451. 2Ch 12:13 Zvino mambo Rehobhoamu wakazvisimbisa paJerusarema, ndokutonga; nokuti Rehobhoamu waiva wemakore makumi mana nerimwe paakava mambo, ndokutonga paJerusarema makore gumi nemanomwe, guta Jehovha raakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, kuisa zita rakepo. Uye zita ramai vake raiva Naama muAmoni.
  11452. 2Ch 12:14 Zvino wakaita chakaipa, nokuti waiva asina kugadzirira moyo wake kutsvaka Jehovha.
  11453. 2Ch 12:15 Zvino nyaya dzaRehobhoamu, dzekutanga nedzekupedzisira, hadzina kunyorwa here mumashoko emuporofita Shemaya, neemuoni Idho, maererano nemarudzi, nedzihondo dzaRehobhoamu naJerobhoamu nguva dzose?
  11454. 2Ch 12:16 Rehobhoamu ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa muguta raDhavhidhi; Abhija mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11455. 2Ch 13:1 Zvino mugore regumi nemasere ramambo Jerobhoamu, Abhija wakava mambo pamusoro paJudha.
  11456. 2Ch 13:2 Wakatonga makore matatu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Mikaya, mukunda waUrieri weGibhiya. Zvino kwakava nehondo pakati paAbhija naJerobhoamu.
  11457. 2Ch 13:3 Zvino Abhija wakasunga hondo ane varwi vevarume veumhare vehondo, varume vakasarudzwa zvuru mazana mana. Jerobhohamu ndokurongedza hondo kurwisana naye ane varume vakasarudzwa zvuru mazana masere, varume veumhare vane simba.
  11458. 2Ch 13:4 Zvino Abhija wakamira pamusoro pegomo Zemaraimi, riri pagomo raEfuremu, ndokuti: Ndinzwei, Jerobhoamu, naIsraeri wose!
  11459. 2Ch 13:5 Hazvisi zvenyu here kuziva kuti Jehovha Mwari waIsraeri wakapa Dhavhidhi ushe pamusoro paIsraeri nekusingaperi, kwaari nekuvanakomana vake nesungano yemunyu?
  11460. 2Ch 13:6 Zvakadaro Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, muranda waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, wakasimuka ndokumukira ishe wake.
  11461. 2Ch 13:7 Zvino vakaunganira kwaari varume vasina maturo, vana vaBheriyari, vakazvisimbisa kurwisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, Rehobhoamu ari mudiki uye akapfava pamoyo asingagoni kuvarwisa.
  11462. 2Ch 13:8 Zvino ikozvino munoti muchamirisana neushe hwaJehovha muruoko rwevanakomana vaDhavhidhi; uye imwi muri chaunga chikuru, asi mune mhuru dzegoridhe Jerobhoamu dzaakakuitirai dzive vamwari.
  11463. 2Ch 13:9 Hamuna kudzinga here vapristi vaJehovha, vanakomana vaAroni, nevaRevhi, mukazviitira vapristi semarudzi edzinyika? Ani nani anouya kuzadza ruoko rwake nenzombe, mhuru yemombe, nemakondohwe manomwe, anova mupristi wevasiri vamwari.
  11464. 2Ch 13:10 Asi isu, Jehovha ndiMwari wedu, uye hatina kumusiya; nevapristi vanoshumira Jehovha vari vanakomana vaAroni, nevaRevhi vari pabasa.
  11465. 2Ch 13:11 Zvino vakapisira Jehovha mangwanani nemangwanani uye madekwani nemadekwani zvipo zvinopiswa, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nechingwa chekuratidza patafura yakachena, nechigadziko chemwenje chegoridhe nemwenje yacho kupisa madekwani nemadekwani; nokuti tinochengeta faniro yaJehovha Mwari wedu; asi imwi makamusiya.
  11466. 2Ch 13:12 Zvino tarirai, Mwari anesu ari musoro, nevapristi vake vane hwamanda dzinorira kukuridzirai mhere. Vana vaIsraeri, regai kurwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu; nokuti hamungabudiriri.
  11467. 2Ch 13:13 Asi Jerobhoamu wakapoteredza vavandiri kuti vauye neshure kwavo; naizvozvo vakava pamberi paJudha, uye vavandiri vaiva shure kwavo.
  11468. 2Ch 13:14 Zvino Judha paakacheuka, tarira, hondo yairwisana navo, mberi neshure; zvino vakachema kuna Jehovha; vapristi ndokuridza hwamanda.
  11469. 2Ch 13:15 Zvino varume vaJudha vakaridza mhere. Zvino zvakaitika pakuridza mhere kwevarume vekwaJudha, kuti Mwari wakarova Jerobhoamu naIsraeri wose pamberi paAbhija naJudha.
  11470. 2Ch 13:16 Vana vaIsraeri ndokutiza pamberi paJudha; Mwari ndokuvapa muruoko rwavo.
  11471. 2Ch 13:17 Zvino Abhija nevanhu vake vakarova pakati pavo nekurova kukuru; ndokuwa vakaurawa kwaIsraeri varume vakasarudzwa zvuru mazana mashanu.
  11472. 2Ch 13:18 Saizvozvo vana vaIsraeri vakaderedzwa nenguva iyo; uye vana vaJudha vakakunda, nokuti vakazembera pana Jehovha Mwari wemadzibaba avo.
  11473. 2Ch 13:19 Abhija ndokudzingirirana naJerobhoamu, ndokutapa maguta kubva kwaari: Bheteri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfironi nemisha yaro.
  11474. 2Ch 13:20 Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba pamazuva aAbhija; Jehovha ndokumurova, iye ndokufa.
  11475. 2Ch 13:21 Zvino Abhija wakazvisimbisa, ndokuzvitorera vakadzi gumi nevana, ndokubereka vanakomana makumi maviri nevaviri, nevanasikana gumi nevatanhatu.
  11476. 2Ch 13:22 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAbhija, nenzira dzake, nemashoko ake, zvakanyorwa munyaya yemuporofita Idho.
  11477. 2Ch 14:1 Zvino Abhija wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake. Mumazuva ake nyika yaiva murunyararo makore gumi.
  11478. 2Ch 14:2 Zvino Asa wakaita zvakanaka nezvakarurama pameso paJehovha Mwari wake.
  11479. 2Ch 14:3 Nokuti wakabvisa aritari dzeutorwa nenzvimbo dzakakwirira, ndokuputsa zvifananidzo, ndokutema matanda ekunamata nawo.
  11480. 2Ch 14:4 Zvino wakaraira Judha kutsvaka Jehovha Mwari wemadzibaba avo, nekuita mutemo nemurairo.
  11481. 2Ch 14:5 Wakabvisawo kubva mumaguta ose aJudha nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezuva. Nyika ndokuva nerunyararo pamberi pake.
  11482. 2Ch 14:6 Zvino wakavaka maguta akashoshewa kwaJudha; nokuti nyika yaiva ine runyararo uye kwaiva kusina hondo naye mumakore awa, nokuti Jehovha waiva amuzorodza.
  11483. 2Ch 14:7 Naizvozvo wakati kuna Judha: Ngativake maguta awa, uye tiite rusvingo kuapoteredza, neshongwe, masuwo, nemazariro, nyika ichiri pamberi pedu; nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatipa zororo kukomberedza. Zvino vakavaka ndokubudirira.
  11484. 2Ch 14:8 Zvino Asa waiva nevarwi zvuru mazana matatu kwaJudha, vaiva vakatakura nhovo huru nepfumo; nezvuru mazana maviri nemakumi masere kwaBhenjamini, vaiva vakatakura nhovo vaitsika uta; ava vose vaiva varume vesimba veumhare.
  11485. 2Ch 14:9 Zvino kwakabudira kwaari Zera muItiyopiya nehondo yechuru chezvuru, nengoro mazana matatu; ndokusvika kuMaresha.
  11486. 2Ch 14:10 Zvino Asa wakabuda kuzorwa naye; ivo ndokurongedza hondo pamupata weZefata paMaresha.
  11487. 2Ch 14:11 Zvino Asa wakachema kuna Jehovha Mwari wake, ndokuti: Jehovha kubatsira hachisi chinhu kwamuri, kana kune vakawanda kana kune vasina simba; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti takazembera pamuri, uye nezita renyu tauya kurwisana nechaunga ichi; Jehovha, imwi muri Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai.
  11488. 2Ch 14:12 Naizvozvo Jehovha wakarova vaItiyopiya pamberi paAsa, nepamberi paJudha; vaItiyopiya ndokutiza.
  11489. 2Ch 14:13 Asa nevanhu vaiva naye ndokuvadzingirira kusvika paGerari; ndokuwa kubva kuvaItiyopiya zvekuti hakuna kumbova nekumutsiridzika kwavari; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha nepamberi pehondo yake. Vakatakura zvakapambiwa zvizhinji kwazvo.
  11490. 2Ch 14:14 Zvino vakarova maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti kutya Jehovha kwaiva pavari; zvino vakapamba maguta ose, nokuti maiva mune zvakapambiwa zvizhinji maari.
  11491. 2Ch 14:15 Vakarovawo matende ezvipfuwo, ndokutapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera kuJerusarema.
  11492. 2Ch 15:1 Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzariya mwanakomana waOdhedhi.
  11493. 2Ch 15:2 Iye ndokubuda kunosangana naAsa, ndokuti kwaari: Nditeererei, Asa naJudha wose naBhenjamini. Jehovha anemwi kana muchinaye; uye kana muchimutsvaka achawanikwa nemwi; asi kana mukamusiya, achakusiyai.
  11494. 2Ch 15:3 Zvino mazuva mazhinji Israeri waiva asina Mwari wechokwadi, uye asina mupristi anodzidzisa, uye asina murairo.
  11495. 2Ch 15:4 Asi pakumanikidzwa kwake wakatendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri, ndokumutsvaka, iye ndokuwanikwa navo.
  11496. 2Ch 15:5 Zvino panguva idzodzo kwaiva kusina rugare kune waibuda kana kune waipinda, nokuti matambudziko makuru aiva pamusoro pevagari vose vedzinyika.
  11497. 2Ch 15:6 Zvino vakagurwa-gurwa, rudzi nerudzi, uye guta neguta, nokuti Mwari wakavatambudza nenhamo dzose.
  11498. 2Ch 15:7 Naizvozvo imwi simbai, uye maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nokuti kune mubairo pabasa renyu.
  11499. 2Ch 15:8 Zvino Asa paakanzwa mashoko awa, nechiporofita chaOdhedhi muporofita, wakashinga, ndokubvisa zvinyangadzo kubva panyika yose yaJudha naBhenjamini, uye kubva pamaguta aaiva atora kubva pagomo raEfuremu; ndokuvandudza aritari yaJehovha yaiva pamberi peberere raJehovha.
  11500. 2Ch 15:9 Zvino wakaunganidza Judha naBhenjamini wose nevatorwa vaiva navo vachibva kwaEfuremu naManase, nevaibva kwaSimioni; nokuti vakamuwira kubva kwaIsraeri vakawanda pavakaona kuti Jehovha Mwari wake anaye.
  11501. 2Ch 15:10 Zvino vakaungana paJerusarema mumwedzi wetatu, negore regumi nemashanu rekutonga kwaAsa.
  11502. 2Ch 15:11 Zvino wakabaira Jehovha nezuva iroro pane zvakapambiwa zvavaiva vauya nazvo: Nzombe mazana manomwe, nemakwai zvuru zvinomwe.
  11503. 2Ch 15:12 Zvino vakapinda pasungano kutsvaka Jehovha Mwari wemadzibaba avo nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose.
  11504. 2Ch 15:13 Uye ani nani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsraeri achaurawa, kubva kumudiki kusvika kumukuru, kubva kumurume kusvika kumukadzi.
  11505. 2Ch 15:14 Zvino vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, uye nekupururudza, uye nehwamanda uye nenyanga dzemakondohwe.
  11506. 2Ch 15:15 VaJudha vose ndokufara nemhiko; nokuti vaiva vapika nemoyo wavo wose, nekumutsvaka nechishuvo chavo chose, zvino wakawanikwa navo, Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.
  11507. 2Ch 15:16 Uyewo Maaka mai vaAsa, mambo wakamubvisa pauhosi; nokuti waiva aita chinyangadzo, kuva danda rekunamata naro; Asa ndokutemera pasi chinyangadzo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
  11508. 2Ch 15:17 Asi nzvimbo dzakakwirira haana kudzibvisa kwaIsraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa waiva wakaperera mazuva ake ose.
  11509. 2Ch 15:18 Zvino wakauisa muimba yaMwari zvinhu zvitsvene zvababa vake nezvinhu zvake zvitsvene, sirivha, negoridhe, nemidziyo.
  11510. 2Ch 15:19 Zvino hakuna kuva nehondo kusvika mugore remakumi matatu nemashanu rekutonga kwaAsa.
  11511. 2Ch 16:1 Zvino negore remakumi matatu nematanhatu rekutonga kwaAsa, Bhaasha mambo waIsraeri wakakwira kurwisa Judha, ndokuvaka Rama, kuti asatendera anobuda neanopinda kuna Asa mambo waJudha.
  11512. 2Ch 16:2 Zvino Asa wakabudisa sirivha negoridhe kubva padura refuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, ndokutumira kuna Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya waigara paDhamasiko, achiti:
  11513. 2Ch 16:3 Sungano iri pakati pangu newe, uye pakati pababa vangu nababa venyu; tarira, ndatumira kwamuri sirivha negoridhe; endai munogura sungano yenyu naBhaasha mambo waIsraeri kuti abve kwandiri.
  11514. 2Ch 16:4 Zvino Bheni-Hadhadhi wakateerera kuna mambo Asa, ndokutuma vakuru vehondo dziri dzake kurwisa maguta aIsraeri. Zvino vakarova Ijoni, neDhani, neAbheri-Maimi, nemaguta ose ematura aNafutari.
  11515. 2Ch 16:5 Zvino zvakaitika Bhaasha paakazvinzwa, kuti wakasiya kuvaka Rama, ndokumisa basa rake.
  11516. 2Ch 16:6 Asa mambo ndokutora Judha wose; zvino vakatora mabwe eRama, nematanda aro, Bhaasha zvaaiva avaka nazvo, ndokuvaka nazvo Gebha neMizipa.
  11517. 2Ch 16:7 Zvino panguva iyoyo muoni Hanani wakasvika kuna Asa mambo waJudha, ndokuti kwaari: Nokuti wazendama pana mambo weSiriya, uye hauna kuvimba naJehovha Mwari wako, naizvozvo hondo yamambo weSiriya yapukunyuka paruoko rwako.
  11518. 2Ch 16:8 VaItiyopiya nevaRubhimi vaiva vasiri hondo huru here vane ngoro nevatasvi vemabhiza vazhinji kwazvo? Zvakadaro, pawakazendama pana Jehovha, iye wakavapa muruoko rwako.
  11519. 2Ch 16:9 Nokuti Jehovha, meso ake anoenda nekudzoka panyika yose kuzviratidza kusimba kwevane moyo wakaperera kwaari. Waita upenzi pachinhu ichi, nokuti kubva ikozvino kuchava nedzihondo kwauri.
  11520. 2Ch 16:10 Zvino Asa wakatsamwira muoni, ndokumuisa mutirongo; nokuti waiva amugumbukira nekuda kwechinhu ichi. Asa ndokumanikidza vamwe vevanhu nenguva iyo.
  11521. 2Ch 16:11 Zvino tarira, nyaya dzaAsa, dzekutanga nedzekupedzisira, tarira, dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri.
  11522. 2Ch 16:12 Zvino Asa wakava nechirwere patsoka dzake pagore remakumi matatu nemapfumbamwe rekutonga kwake, kusvika chirwere chake chakura kwazvo; zvakadaro paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi varapi.
  11523. 2Ch 16:13 Asa ndokurara nemadzibaba ake, ndokufa negore remakumi mana nerimwe rekutonga kwake.
  11524. 2Ch 16:14 Zvino vakamuviga muguva rake, raaiva azvicherera muguta raDhavhidhi. Zvino vakamuradzika pamubhedha waaiva azadza nezvinonhuhwira zvemarudzi mazhinji, zvakagadzirwa neuchenjeri hwenyanzvi dzezvezvinonhuhwira; vakamuvesera rutsva rukuru kusvika rwawanda.
  11525. 2Ch 17:1 Zvino Jehoshafati mwanakomana wake wakatonga pachinzvimbo chake, ndokuzvisimbisa kurwisa Israeri.
  11526. 2Ch 17:2 Zvino wakaisa varwi mumaguta ose akashoshewa aJudha, ndokuisa mapoka evarwi panyika yaJudha, nepamaguta aEfuremu Asa baba vake avaiva vatapa.
  11527. 2Ch 17:3 Zvino Jehovha wakava naJehoshafati, nokuti wakafamba munzira dzekutanga dzaDhavhidhi baba vake, uye haana kutsvaka vana Bhaari.
  11528. 2Ch 17:4 Asi wakatsvaka Mwari wababa vake, uye wakafamba mumirairo yake, uye kwete sekuita kwaIsraeri.
  11529. 2Ch 17:5 Naizvozvo Jehovha wakasimbisa ushe paruoko rwake; Judha wose ndokuvigira Jehoshafati zvipo. Zvino wakava nefuma nerukudzo zvakawanda.
  11530. 2Ch 17:6 Zvino moyo wake wakakwirira panzira dzaJehovha. Pamusoro pazvo wakabvisa nzvimbo dzakakwirira nematanda ekunamata nawo kubva kwaJudha.
  11531. 2Ch 17:7 Uye pagore rechitatu rekutonga kwake wakatuma kumachinda ake, kuna Bheni-Hairi, nekuna Obhadhiya, nekuna Zekariya, nekuna Netaneri, nekuna Mikaya, kudzidzisa mumaguta aJudha.
  11532. 2Ch 17:8 Uye pamwe navo vaRevhi, Shemaya, naNetaniya, naZebhadhiya, naAsaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhoniya, naTobhiya, naTobhi-Adhoniya, vaRevhi. Uye pamwe navo Erishama, naJehoramu, vapristi.
  11533. 2Ch 17:9 Zvino vakadzidzisa kwaJudha, nebhuku remurairo waJehovha raiva navo. Zvino vakapota nemumaguta ose aJudha, ndokudzidzisa pakati pevanhu.
  11534. 2Ch 17:10 Zvino kutya Jehovha kwakava paushe hwose hwenyika dzakapoteredza Judha, zvekuti havana kurwa naJehoshafati.
  11535. 2Ch 17:11 Zvino vamwe vevaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nemutero wesirivha. VaArabhiyawo vakamuvigira makwai, makondohwe zvuru zvinomwe nemazana manomwe, nenhongo dzembudzi zvuru zvinomwe nemazana manomwe.
  11536. 2Ch 17:12 Zvino Jehoshafati ndokuenda achikura kusvika pamusoro, ndokuvaka kwaJudha nhare nemaguta ematura.
  11537. 2Ch 17:13 Zvino wakava nebasa zhinji mumaguta aJudha, nevarume vehondo, vane simba veumhare, paJerusarema.
  11538. 2Ch 17:14 Zvino uhwu ndihwo uwandu hwavo zvichienderana nedzimba dzemadzibaba avo: KwaJudha, vakuru vezvuru: Adhina mukuru, uye pamwe naye varume vane simba veumhare, zvuru mazana matatu.
  11539. 2Ch 17:15 Uye padivi pake Jehohanani mukuru, uye pamwe naye zvuru mazana maviri nemakumi masere.
  11540. 2Ch 17:16 Uye padivi pake Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa nechido kuna Jehovha, uye pamwe naye varume vane simba veumhare zvuru mazana maviri.
  11541. 2Ch 17:17 NekwaBhenjamini: Eriadha ane simba weumhare, uye pamwe naye zvuru mazana maviri vakashonga uta nenhovo.
  11542. 2Ch 17:18 Zvino padivi pake Jehozabhadhi, uye pamwe naye zvuru zana nemakumi masere, vakagadzirira hondo.
  11543. 2Ch 17:19 Ava ndivo vaishandira mambo kunze kweavo mambo vaaiva aisa mumaguta akashoshewa kwaJudha wose.
  11544. 2Ch 18:1 Zvino Jehoshafati waiva nefuma nerukudzo zvizhinji; uye wakawanirana naAhabhi.
  11545. 2Ch 18:2 Zvino pakupera kwemakore wakaburukira kuna Ahabhi kuSamariya. Ahabhi ndokumuuraira iye nevanhu vaaiva navo makwai nenzombe zvizhinji, ndokumunyengetedza kukwira kuRamoti-Giriyadhi.
  11546. 2Ch 18:3 Zvino Ahabhi mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati mambo waJudha: Muchaenda neni kuRamoti-Giriyadhi here? Iye ndokuti kwaari: Sewe ndizvo zvandakaita, uye sevanhu vako ndizvo zvakaita vanhu vangu; uye tichava newe pahondo.
  11547. 2Ch 18:4 Zvino Jehoshafati wakati kuna mambo waIsraeri: Bvunza hako nhasi shoko raJehovha.
  11548. 2Ch 18:5 Zvino mambo waIsraeri wakaunganidza vaporofita, varume mazana mana, ndokuti kwavari: Tiende kuRamoti-Giriyadhi kuhondo here, kana ndirege? Ivo vakati: Kwirai, nokuti Mwari acharipa muruoko rwamambo.
  11549. 2Ch 18:6 Asi Jehoshafati wakati: Hakuchina muporofita waJehovha pano here, kuti tibvunze kwaari?
  11550. 2Ch 18:7 Mambo waIsraeri ndokuti kuna Jehoshafati: Umwe murume achiko, kubvunza naye kuna Jehovha; asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; iye Mikaya mwanakomana waImira. Jehoshafati ndokuti: Mambo ngaarege kureva saizvozvo.
  11551. 2Ch 18:8 Zvino mambo waIsraeri wakadana umwe mutenwa, ndokuti: Kurumidzisa Mikaya mwanakomana waImira.
  11552. 2Ch 18:9 Zvino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vaiva vagere umwe neumwe pachigaro chake cheushe, vakapfeka nguvo refu; uye vagere paburiro panopinda pasuwo reSamariya; vaporofita vose ndokuporofita pamberi pavo.
  11553. 2Ch 18:10 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana waiva azviitira nyanga dzematare, ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Neidzi muchasunda vaSiriya kusvika mavapedza.
  11554. 2Ch 18:11 Nevaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vachiti: Kwirai kuRamoti-Giriyadhi mubudirire, nokuti Jehovha acharipa muruoko rwamambo.
  11555. 2Ch 18:12 Zvino nhume yakaenda kunodana Mikaya yakataura kwaari ichiti: Tarira, mashoko evaporofita nemuromo umwe akanaka kuna mambo; naizvozvo shoko renyu ngarive haro sereumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.
  11556. 2Ch 18:13 Mikaya ndokuti: NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo Mwari wangu zvaachareva, izvozvo ndichataura.
  11557. 2Ch 18:14 Zvino asvika kuna mambo, mambo wakati kwaari: Mikaya, tiende kuRamoti-Giriyadhi kuhondo here, kana ndirege? Iye ndokuti: Kwirai, muchabudirira; uye vachapiwa muruoko rwenyu.
  11558. 2Ch 18:15 Mambo ndokuti kwaari: Ndichakupikisa kusvika kangani kuti usandiudza chinhu asi chokwadi muzita raJehovha?
  11559. 2Ch 18:16 Iye ndokuti: Ndaona Israeri wose akapararira pamakomo semakwai asina mufudzi; Jehovha ndokuti: Ava havana tenzi; ngavadzokere umwe neumwe kumba kwake nerugare.
  11560. 2Ch 18:17 Mambo waIsraeri ndokuti kuna Jehoshafati: Handina kukuudza here: Haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?
  11561. 2Ch 18:18 Zvino wakati: Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake cheushe, nehondo yose yekumatenga imire kurudyi rwake neruboshwe rwake.
  11562. 2Ch 18:19 Jehovha ndokuti: Ndiani achakwezva Ahabhi mambo waIsraeri kuti akwire agowa paRamoti-Giriyadhi? Zvino umwe wakataura achiti seizvi, neumwe achiti seizvi.
  11563. 2Ch 18:20 Zvino mweya wakabuda, ndokumira pamberi paJehovha, ndokuti: Ini ndichamukwezva. Jehovha ndokuti kwaari: Nei?
  11564. 2Ch 18:21 Iye ndokuti: Ndichabuda ndigova mweya wenhema mumuromo wevaporofita vake vose. Iye ndokuti: Uchakwezva, uye uchagonawo; buda ugoita saizvozvo.
  11565. 2Ch 18:22 Naizvozvo zvino, tarirai, Jehovha waisa mweya wenhema mumuromo wevaporofita venyu ava, uye Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.
  11566. 2Ch 18:23 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana wakaswedera ndokurova Mikaya padama, ndokuti: Mweya waJehovha wakapfuura nenzira ipi achibva kwandiri kuti ataura newe?
  11567. 2Ch 18:24 Mikaya ndokuti: Tarira uchaona nemusi uyo wauchapinda mukamuri remukati kuti uvande.
  11568. 2Ch 18:25 Zvino mambo waIsraeri wakati: Torai Mikaya, mumudzosere kuna Amoni mubati weguta, nekuna Joashi mwanakomana wamambo.
  11569. 2Ch 18:26 Zvino muti: Ndizvo zvinoreva mambo: Isai uyu mutirongo, mumudyise chingwa chekutamburira nemvura yekutamburira, kusvika ndadzoka nerugare.
  11570. 2Ch 18:27 Zvino Mikaya wakati: Kana mukadzoka zvekudzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni. Ndokuti: Inzwai, vanhu, imwi mose.
  11571. 2Ch 18:28 Naizvozvo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakakwira kuRamoti-Giriyadhi.
  11572. 2Ch 18:29 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Ndichazvivanza chimiro ndipinde pahondo; asi iwe pfeka nguvo refu dzako. Mambo waIsraeri ndokuzvivanza chimiro; zvino vakapinda pahondo.
  11573. 2Ch 18:30 Zvino mambo weSiriya waiva araira misoro yengoro yaaiva nayo achiti: Regai kurwa nemudiki kana nemukuru, asi namambo waIsraeri chete.
  11574. 2Ch 18:31 Zvino zvakaitika misoro yengoro payakaona Jehoshafati, kuti ivo vakati: Ndimambo waIsraeri. Naizvozvo vakamukomba kumurwisa; asi Jehoshafati wakaridza mhere; Jehovha ndokumubatsira; Mwari ndokuvakwezva vakabva kwaari.
  11575. 2Ch 18:32 Nokuti zvakaitika misoro yengoro payakaona kuti waiva asiri mambo waIsraeri, vakadzoka pakumutevera.
  11576. 2Ch 18:33 Zvino umwe munhu wakahwembura uta asina waakananga ndokurova mambo waIsraeri pakati pepakabatanidzwa nenguvo dzeutare. Zvino wakati kumufambisi wengoro: Tendeudza ruoko rwako, undibudise pamusasa, nokuti ndakuvadzwa.
  11577. 2Ch 18:34 Zvino hondo yakawedzera pazuva iro; asi mambo waIsraeri waiva akatsigirwa mungoro akatarisana nevaSiriya kusvika madekwani. Zvino wakafa panguva yekuvira kwezuva.
  11578. 2Ch 19:1 Zvino Jehoshafati mambo waJudha wakadzokera kumba kwake nerugare kuJerusarema.
  11579. 2Ch 19:2 Zvino Jehu mwanakomana waHanani muoni wakabuda kusangana naye, ndokuti kuna mambo Jehoshafati: Ungabatsira wakaipa here, ndokuda vanovenga Jehovha? Nekuda kweizvozvo kutsamwa kuri pamusoro pako kubva pamberi paJehovha.
  11580. 2Ch 19:3 Kunyange zvakadaro, zvinhu zvakanaka zvakawanikwa mauri, pakuti wakabvisa matanda ekunamata nawo panyika, uye wakagadzirira moyo wako kutsvaka Mwari.
  11581. 2Ch 19:4 Jehoshafati ndokugara paJerusarema. Zvino wakabudazve pakati pevanhu kubva paBheeri-Shebha kusvika kugomo raEfuremu, ndokuvadzosa kuna Jehovha Mwari wemadzibaba avo.
  11582. 2Ch 19:5 Zvino wakaisa vatongi panyika pamaguta ose akashoshewa aJudha, paguta neguta.
  11583. 2Ch 19:6 Zvino wakati kuvatongi: Onai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu asi Jehovha; uye anemwi panyaya yekutonga.
  11584. 2Ch 19:7 Naizvozvo ikozvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu; muchenjerere uye muite nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna chakaipa, kana kutarisa zviso, kana kugamuchira fufuro.
  11585. 2Ch 19:8 Uye paJerusarema Jehoshafati wakaisawo vamwe kuvaRevhi nevapristi, nekumisoro yemadzibaba aIsraeri, kumutongo waJehovha nepamakakava, kana vodzokera kuJerusarema.
  11586. 2Ch 19:9 Zvino wakavaraira, achiti: Muchaita saizvozvi mukutya Jehovha, mukutendeka, uye nemoyo wakaperera.
  11587. 2Ch 19:10 Zvino gakava ripi neripi richauya kwamuri rinobva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, pakati peropa neropa, pakati pemutemo nemurairo, zvimiso nemitongo, uye muchavayambira kuti vasatadzira Jehovha, kutsamwa kugowira pamusoro penyu nepamusoro pehama dzenyu. Itai izvi uye musatadza.
  11588. 2Ch 19:11 Zvino tarirai, Amariya mupristi mukuru ari pamusoro penyu panyaya dzose dzaJehovha; naZebhadhiya mwanakomana waIshimaeri, mutungamiriri weimba yaJudha, panyaya dzose dzamambo; nevaRevhi vachava vatariri vari pamberi penyu. Simbai muzviite, zvino Jehovha achava newakanaka.
  11589. 2Ch 20:1 Zvakaitikawo shure kweizvi, vana vaMoabhu nevana vaAmoni nevamwe pamwe navo kusingaverengwi vaAmoni vakauya kurwisa Jehoshafati pahondo.
  11590. 2Ch 20:2 Zvino kwakauya vamwe vakaudza Jehoshafati vachiti: Kunouya chaunga chikuru kukurwisai chichibva mhiri kwegungwa kubva kuSiriya; zvino tarirai, vari paHazezoni-Tamari, rinova Eni-Gedhi.
  11591. 2Ch 20:3 Zvino Jehoshafati wakatya ndokuzvipira chiso chake kutsvaka Jehovha; ndokudanidzira mutsanyo kuna Judha wose.
  11592. 2Ch 20:4 Zvino Judha wakazviunganidza kutsvaka kuna Jehovha; uye kumaguta ose aJudha vakauya kutsvaka Jehovha.
  11593. 2Ch 20:5 Zvino Jehoshafati wakamira paungano yaJudha neJerusarema, muimba yaJehovha, pamberi pechivanze chitsva;
  11594. 2Ch 20:6 ndokuti: Jehovha Mwari wemadzibaba edu, imwi hamusi Mwari vari mumatenga here? Uye imwi munotonga pamusoro peushe hwose hwemarudzi. Uye paruoko rwenyu pane simba neukuru, kuti pasava neangamirisana nemwi.
  11595. 2Ch 20:7 Imi hamusi Mwari wedu makadzinga vagari venyika ino pamberi pevanhu venyu Israeri here, ndokuipa kumbeu yaAbhurahama shamwari yenyu kusvika pakusingaperi?
  11596. 2Ch 20:8 Zvino vakagaramo, ndokukuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti:
  11597. 2Ch 20:9 Kana chakaipa chikawira pamusoro pedu, munondo, mutongo, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino nepamberi penyu (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri pakutambudzika kwedu; zvino muchanzwa mugoponesa.
  11598. 2Ch 20:10 Zvino ikozvino, tarirai, vana vaAmoni naMoabhu nevepagomo reSeiri, vamusina kutendera Israeri kupfuura nepavari pavaibva panyika yeEgipita, asi vakavafuratira, uye havana kuvaparadza;
  11599. 2Ch 20:11 uye tarirai, votitsiva, kuuya kuzotidzinga panhaka yenyu yamakatigarisa nhaka.
  11600. 2Ch 20:12 Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hamuna simba matiri kurwisa chaunga chikuru ichi chinouya kutirwisa, uye hatizivi zvatinofanira kuita; asi meso edu ari kwamuri.
  11601. 2Ch 20:13 Zvino Judha wose wakamira pamberi paJehovha, nevanana vavo, vakadzi vavo, nevana vavo.
  11602. 2Ch 20:14 Ipapo Jahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi wevanakomana vaAsafi, Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake pakati peungano.
  11603. 2Ch 20:15 Iye ndokuti: Teererai, vaJudha mose, nevagari veJerusarema, nemwi mambo Jehoshafati: Ndizvo zvinoreva Jehovha kwamuri: Imwi musatya uye musavhunduka nekuda kwechaunga chikuru ichi, nokuti hondo haisi yenyu asi ndeya Mwari.
  11604. 2Ch 20:16 Mangwana burukai murwisane navo; tarirai, vanokwira nepamukwidza weZizi; zvino muchavawana pakuguma kwemupata, pamberi perenje reJerueri.
  11605. 2Ch 20:17 Hazvisi zvenyu kurwa pane izvi; zvimisei mumire, zvino muchaona ruponeso rwaJehovha nemwi, imwi Judha neJerusarema; musatya uye musavhunduswa; mangwana budai murwisane navo, nokuti Jehovha achava nemwi.
  11606. 2Ch 20:18 Jehoshafati wakakotamisira musoro pasi; naJudha wose nevagari veJerusarema vakawira pamberi paJehovha, kushumira Jehovha.
  11607. 2Ch 20:19 NevaRevhi vevana vevaKohati nevevana vevaKora vakasimuka kurumbidza Jehovha Mwari waIsraeri nenzwi guru riri pamusoro.
  11608. 2Ch 20:20 Zvino vakasimuka mangwanani-ngwanani, ndokubudira kurenje reTekowa; zvino pakubuda kwavo Jehoshafati wakamira ndokuti: Ndinzwei, Judha nevagari veJerusarema: Tendai kuna Jehovha Mwari wenyu, zvino muchasimbiswa; tendai kuvaporofita vake, mugobudirira.
  11609. 2Ch 20:21 Wakati arangana nevanhu, wakagadza vaimbi kuna Jehovha, vanorumbidza kunaka kweutsvene pakubuda pamberi pevakashonga zvombo, uye vachiti: Rumbidzai Jehovha nokuti ngoni dzake dziriko kusvika rinhi narinhi.
  11610. 2Ch 20:22 Zvino panguva yavakatanga kuimba nekurumbidza, Jehovha wakaisa vavandiri kurwisa vana vaAmoni, Moabhu, negomo reSeiri, vaiva vauya kuzorwisa Judha; zvino vakarohwa.
  11611. 2Ch 20:23 Nokuti vana vaAmoni nevaMoabhu vakasimuka kurwisa vagari vegomo reSeiri kuuraya nekuparadza chose; uye pavaiva vapedza vagari veSeiri, vakabatsira umwe neumwe wekwake pakuparadza.
  11612. 2Ch 20:24 Judha paakasvika pashongwe yechirindo kurenje, vakatarisa kuchaunga, zvino tarira, kwaiva nezvitunha zvakawira pasi, uye pasina wakapukunyuka.
  11613. 2Ch 20:25 Jehoshafati nevanhu vake pavakasvika kupamba zvipambiwa zvavo, vakawana pakati pavo zvakawanda, zvose nhumbi nezvitunha nezvinhu zvinokosha, vakazvitapira kusvika votadza kutakura. Zvino vakava nemazuva matatu vachitapa zvipambiwa, nokuti zvaiva zvizhinji.
  11614. 2Ch 20:26 Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti ipapo vakarumbidza Jehovha; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Mupata weBheraka kusvika zuva rino.
  11615. 2Ch 20:27 Zvino vakadzokera munhu umwe neumwe wekwaJudha neJerusarema, uye Jehoshafati pamusoro pavo, kuti vadzokere kuJerusarema nemufaro; nokuti Jehovha waiva avafadza pamusoro pevavengi vavo.
  11616. 2Ch 20:28 Zvino vakapinda muJerusarema nemitengeranwa uye nembira uye nehwamanda, kuimba yaJehovha.
  11617. 2Ch 20:29 Zvino kutya Mwari kwaiva pamusoro peushe hwose hwedzinyika pavakanzwa kuti Jehovha wakarwa nevavengi vaIsraeri.
  11618. 2Ch 20:30 Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava nerunyararo; uye Mwari wake wakamuzorodza pamativi ose.
  11619. 2Ch 20:31 Zvino Jehoshafati wakatonga pamusoro paJudha; waiva nemakore makumi matatu nemashanu paakava mambo, ndokutonga makore makumi maviri nemashanu paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Azubha mukunda waShirihi.
  11620. 2Ch 20:32 Zvino wakafamba munzira yababa vake Asa; uye haana kutsauka pairi, achiita zvakarurama pameso paJehovha.
  11621. 2Ch 20:33 Zvakadaro nzvimbo dzakakwirira haana kubvisa; nokuti vanhu vaiva vasati vagadzirira moyo wavo kuna Mwari wemadzibaba avo.
  11622. 2Ch 20:34 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoshafati, dzekutanga nedzekupedzisira, tarira, dzakanyorwa munyaya dzaJehu mwanakomana waHanani, akasanganiswawo mubhuku remadzimambo aIsraeri.
  11623. 2Ch 20:35 Zvino shure kweizvi Jehoshafati mambo waJudha wakazvibatanidza naAhaziya mambo waIsraeri; iye wakaita zvakaipa pakuita kwake.
  11624. 2Ch 20:36 Zvino wakazvibatanidza naye kuita zvikepe kuenda kuTarishishi; zvino vakaita zvikepe paEziyoni-Gebheri.
  11625. 2Ch 20:37 Zvino Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha wakaporofita pamusoro paJehoshafati, achiti: Nokuti wazvibatanidza naAhaziya, Jehovha waputsa mabasa ako. Naizvozvo zvikepe zvakaputsika, kuti hazvina kugona kuenda kuTarishishi.
  11626. 2Ch 21:1 Zvino Jehoshafati wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11627. 2Ch 21:2 Zvino waiva nevanin’ina, vanakomana vaJehoshafati: Azariya, naJehieri, naZekariya, naAzariya, naMikayeri, naShefatiya; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsraeri.
  11628. 2Ch 21:3 Zvino baba vavo vakavapa zvipo zvizhinji zvesirivha nezvegoridhe nezvezvinokosha, pamwe nemaguta akashoshewa kwaJudha; asi ushe wakapa kuna Jehoramu, nokuti waiva dangwe.
  11629. 2Ch 21:4 Jehoramu paakasimuka paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, ndokuuraya vanin’ina vake vose nemunondo, nevamwewo vemachinda aIsraeri.
  11630. 2Ch 21:5 Zvino Jehoramu waiva nemakore makumi matatu nemaviri paakava mambo, ndokutonga makore masere paJerusarema.
  11631. 2Ch 21:6 Zvino wakafamba nenzira yemadzimambo aIsraeri, sezvavakaita veimba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha.
  11632. 2Ch 21:7 Zvakadaro Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi, nekuda kwesungano yaaiva aita naDhavhidhi, uye sezvaaiva ati achapa iye nevanakomana vake mwenje mazuva ose.
  11633. 2Ch 21:8 Pamazuva ake Edhomu wakapanduka kubva pasi peruoko rwaJudha, ndokuzviisira mambo.
  11634. 2Ch 21:9 Zvino Jehoramu wakayambuka nemachinda ake, nengoro dzose pamwe naye, ndokusimuka usiku, ndokurova vaEdhomu vakamukomba iye nevakuru vengoro.
  11635. 2Ch 21:10 Naizvozvo vaEdhomu vakapanduka kubva pasi peruoko rwaJudha kusvika zuva rino. Ipapo panguva iyoyo Ribhina wakapanduka kubva pasi peruoko rwake, nokuti waiva asiya Jehovha Mwari wemadzibaba ake.
  11636. 2Ch 21:11 Uye iye wakaita nzvimbo dzakakwirira pamakomo aJudha, ndokuita vagari veJerusarema kuti vaite upombwe, ndokutinhira Judha kure.
  11637. 2Ch 21:12 Zvino kwakasvika kwaari tsamba kubva kuna Eria muporofita, ichiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waDhavhidhi baba vako: Nekuda kwekuti hauna kufamba nenzira dzaJehoshafati baba vako uye nenzira dzaAsa mambo waJudha,
  11638. 2Ch 21:13 asi wakafamba nenzira dzemadzimambo aIsraeri, uye wakaita kuti Judha nevagari veJerusarema vaite ufeve seufeve hweimba yaAhabhi, uyewo wakauraya vanin’ina vako veimba yababa vako vaiva nani panewe;
  11639. 2Ch 21:14 tarira, Jehovha acharova nekurova kukuru pavanhu vako nepavana vako nepavakadzi vako nepanhumbi dzako dzose.
  11640. 2Ch 21:15 Newe uchava pahosha zhinji neurwere hweura hwako kusvika ura hwako hwabuda nekuda kwehosha mazuva nemazuva.
  11641. 2Ch 21:16 Zvino Jehovha wakamutsira Jehoramu mweya yevaFirisitia neyevaArabhiya vaiva vari kurutivi rwevaItiyopiya.
  11642. 2Ch 21:17 Ivo ndokukwira kuna Judha, ndokuripazira, ndokutapa zvinhu zvose zvakawanikwa muimba yamambo, nevanakomana vakewo, nevakadzi vake; zvekuti hakuna kusara mwanakomana kwaari kunze kwaJehoahazi, mudikisa wevanakomana vake.
  11643. 2Ch 21:18 Zvino shure kweizvi zvose Jehovha wakamurova muura hwake nehosha isingarapiki.
  11644. 2Ch 21:19 Zvino zvakaitika kuti kubva kumazuva kuenda kumazuva, uye panguva yekubuda kwekuguma kwemakore maviri, ura hwake hwakabuda nekuda kweurwere hwake; naizvozvo wakafa nehosha dzakaipa; asi vanhu vake havana kumuvesera moto semoto wemadzibaba ake.
  11645. 2Ch 21:20 Waiva nemakore makumi matatu nemaviri paakava mambo, ndokutonga paJerusarema makore masere; ndokuenda asingashuviwi; zvakadaro vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva emadzimambo.
  11646. 2Ch 22:1 Zvino vagari veJerusarema vakaita Ahaziya mwanakomana wake mudikisa mambo pachinzvimbo chake; nokuti hondo yakarongwa yevanhu yakauya nevaArabhiya kumusasa yaiva yauraya vekutanga vose. Naizvozvo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha wakatonga.
  11647. 2Ch 22:2 Ahaziya waiva nemakore makumi mana nemaviri paakava mambo, ndokutonga gore rimwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Atariya, mukunda waOmiri.
  11648. 2Ch 22:3 Naiye wakafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake kuita zvakaipa.
  11649. 2Ch 22:4 Naizvozvo wakaita zvakaipa pameso paJehovha seimba yaAhabhi; nokuti ivo vaiva varairi vake shure kwekufa kwababa vake kukava kuparara kwake.
  11650. 2Ch 22:5 Wakafambawo mukuraira kwavo, ndokuenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsraeri kunorwisa Hazaeri mambo weSiriya paRamoti-Giriyadhi; vaSiriya ndokurova Joramu.
  11651. 2Ch 22:6 Zvino wakadzokera kunorapiwa kuJezireeri nekuda kwemavanga avaiva vamurova paRama, paakarwa naHazaeri mambo weSiriya. Zvino Azariya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha wakaburuka kunoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti wairwara.
  11652. 2Ch 22:7 Zvino kuparadzwa kwaAhaziya kwaibva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu. Nokuti pakusvika kwake wakabuda naJehoramu kurwisa Jehu mwanakomana waNishi, Jehovha waaiva azodza kugura imba yaAhabhi.
  11653. 2Ch 22:8 Zvino zvakaitika Jehu paaiita mutongo pamusoro peimba yaAhabhi, wakawana misoro yekwaJudha, nevanakomana vevanin’ina vaAhaziya vaishandira Ahaziya, ndokuvauraya.
  11654. 2Ch 22:9 Zvino wakatsvaka Ahaziya, vakamubatawo, nokuti waiva avanda paSamariya, vakamuuisa kuna Jehu, ndokumuuraya, vakamuviga, nokuti vakati: Iye mwanakomana waJehoshafati anotsvaka Jehovha nemoyo wake wose. Naizvozvo imba yaAhaziya yaiva isina munhu wekuchengeta simba reushe.
  11655. 2Ch 22:10 Atariya mai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo wafa, vakasimuka ndokuparadza chizvarwa chose cheumambo hweimba yaJudha.
  11656. 2Ch 22:11 Asi Jehoshabhiyati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhaziya ndokumuba kubva pakati pevanakomana vamambo vaiurawa, ndokumuisa iye nemureri wake muimba yekurara. Naizvozvo Jehoshabhiyati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, nokuti waiva hanzvadzi yaAhaziya, wakamuvanza pachiso chaAtariya kuti asamuuraya.
  11657. 2Ch 22:12 Zvino wakavanda navo muimba yaMwari makore matanhatu; Atariya ndokutonga pamusoro penyika.
  11658. 2Ch 23:1 Zvino mugore rechinomwe Jehoyadha wakazvisimbisa, ndokutora misoro yemazana pamwe naye musungano: Azariya mwanakomana waJerohamu, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzariya mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.
  11659. 2Ch 23:2 Zvino vakapoteredza kwaJudha, ndokuunganidza vaRevhi kubva pamaguta ose aJudha, nemisoro yemadzibaba aIsraeri, ndokuuya kuJerusarema.
  11660. 2Ch 23:3 Zvino ungano yose yakaita sungano namambo muimba yaMwari. Iye ndokuti kwavari: Tarirai, mwanakomana wamambo achatonga, Jehovha sezvaakareva pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.
  11661. 2Ch 23:4 Ichi chinhu chamuchaita: Chetatu chenyu chinopinda nesabata, pavapristi nepavaRevhi, vachava vachengeti vemisuwo yekumacheto.
  11662. 2Ch 23:5 Uye chetatu chichava paimba yamambo, uye chetatu pasuwo renheyo; nevanhu vose vachava pazvivanze zveimba yaJehovha.
  11663. 2Ch 23:6 Asi ngakurege kuva neanopinda muimba yaJehovha kunze kwevapristi nevanoshumira vevaRevhi; ivo vachapinda, nokuti vatsvene; asi vanhu vose vachachengeta faniro yaJehovha.
  11664. 2Ch 23:7 Zvino vaRevhi vachakomba mambo kupoteredza, umwe neumwe ane zvombo zvake muruoko rwake; uye ani nani anopinda muimba achaurawa; asi muve namambo paanopinda nepaanobuda.
  11665. 2Ch 23:8 Naizvozvo vaRevhi naJudha wose vakaita zvinoenderana nezvose Jehoyadha mupristi zvaakaraira; ndokutora umwe neumwe varume vake, vaizopinda nesabata pamwe nevaizobuda nesabata; nokuti Jehoyadha mupristi haana kuzarurira mapoka kuenda.
  11666. 2Ch 23:9 Zvino Jehoyadha mupristi wakapa kumisoro yemazana mapfumo, nenhovo, nenhovo diki, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvaiva muimba yaMwari.
  11667. 2Ch 23:10 Zvino wakamisa vanhu vose, uye umwe neumwe ane chombo chake muruoko rwake kubva kufudzi rerudyi reimba kusvika kufudzi reruboshwe reimba, kuaritari nekuimba, pana mambo kupoteredza.
  11668. 2Ch 23:11 Zvino vakabudisa mwanakomana wamambo, ndokumudzika korona, ndokumupa chipupuriro, ndokumuita mambo. Zvino Jehoyadha nevanakomana vake vakamuzodza ndokuti: Mambo ngaararame!
  11669. 2Ch 23:12 Atariya paakanzwa inzwi revanhu vaimhanya nekurumbidza mambo, wakauya kuvanhu muimba yaJehovha.
  11670. 2Ch 23:13 Zvino wakaona, zvino tarira, mambo amire pambiru yake panopindwa napo, nemachinda, nehwamanda kuna mambo; uye vanhu vose venyika vakafara, ndokuridza hwamanda; vaimbiwo vane midziyo yekuimbisa, nevaidzidzisa kurumbidza. Atariya ndokubvarura nguvo dzake, ndokuti: Kurongera, kurongera!
  11671. 2Ch 23:14 Zvino Jehoyadha mupristi wakabudisa misoro yemazana yaiva yakaiswa pamusoro pehondo, ndokuti kwavari: Mubudisei kubva mukati memitsara; uye anomutevera achaurawa nemunondo; nokuti mupristi wakati: Musamuuraira muimba yaJehovha.
  11672. 2Ch 23:15 Naizvozvo vakamubata nemaoko. Paakasvika panopindwa napo pesuwo remabhiza paimba yamambo, ndokumuurairapo.
  11673. 2Ch 23:16 Zvino Jehoyadha wakaita sungano pakati pake nepakati pevanhu vose, uye pakati pamambo, kuti vave vanhu vaJehovha.
  11674. 2Ch 23:17 Zvino vanhu vose vakaenda kuimba yaBhaari ndokuiputsa, ndokuputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, ndokuuraya Matani mupristi waBhaari pamberi pedziaritari.
  11675. 2Ch 23:18 Jehoyadha wakamisawo zvinzvimbo zveimba yaJehovha neruoko rwevapristi vaRevhi, Dhavhidhi zvaaiva atsaurira imba yaJehovha kupa zvipo zvinopiswa zvaJehovha, zvichienderana nezvakanyorwa pamurairo waMozisi, nemufaro uye nekuimba, zvichienderana nekumisa kwaDhavhidhi.
  11676. 2Ch 23:19 Zvino wakaisa vachengeti pamikova yemasuwo eimba yaJehovha, kuti kusapinda asina kuchena pachinhu chipi nechipi.
  11677. 2Ch 23:20 Zvino wakatora misoro yemazana, nevakuru, nevabati vevanhu, nevanhu vose venyika, ndokuburusa mambo kubva paimba yaJehovha, ivo ndokupinda nepakati pesuwo repamusoro mumba mamambo, ndokugadza mambo pachigaro cheushe cheumambo.
  11678. 2Ch 23:21 Zvino vanhu vose venyika vakafara, guta ndokunyarara pavakauraya Atariya nemunondo.
  11679. 2Ch 24:1 Joashi waiva nemakore manomwe paakava mambo, ndokutonga makore makumi mana paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Zibhia weBheeri-Shebha.
  11680. 2Ch 24:2 Joashi ndokuita zvakarurama pameso paJehovha mazuva ose aJehoyadha mupristi.
  11681. 2Ch 24:3 Jehoyadha ndokumutorera vakadzi vaviri; iye ndokubereka vanakomana nevanasikana.
  11682. 2Ch 24:4 Zvino zvakaitika shure kweizvi, zvakava mumoyo waJoashi kuvandudza imba yaJehovha.
  11683. 2Ch 24:5 Akakokera vapristi nevaRevhi ndokuti kwavari: Budirai kumaguta aJudha, mugounganidza kubva kuna Israeri wose mari yekugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore. Zvino imwi kurumidzirai nyaya iyi. Asi vaRevhi havana kukurumidza.
  11684. 2Ch 24:6 Zvino mambo wakadana Jehoyadha musoro, ndokuti kwaari: Sei musina kudana kuvaRevhi kuti vauise kubva kwaJudha nepaJerusarema mutero waMozisi muranda waJehovha neweungano yaIsraeri zvetende rechipupuriro?
  11685. 2Ch 24:7 Nokuti Atariya mukadzi wakaipa, vanakomana vake vaiva vaputsa imba yaMwari; uyewo zvitsvene zvose zveimba yaJehovha vakazvishandisira vana Bhaari.
  11686. 2Ch 24:8 Mambo ndokuraira, ivo ndokuita bhokisi rimwe, ndokuriisa pasuwo reimba yaJehovha panze.
  11687. 2Ch 24:9 Zvino vakaisa inzwi kwaJudha nepaJerusarema kuti vauise kuna Jehovha mutero waMozisi muranda waMwari wakaiswa pamusoro paIsraeri murenje.
  11688. 2Ch 24:10 Zvino machinda ose nevanhu vose vakafara, vakaunza mukati ndokukanda mubhokisi kusvika vapedza.
  11689. 2Ch 24:11 Zvino zvakaitika panguva yaiuiswa bhokisi kudura ramambo neruoko rwevaRevhi, uye pavaiona kuti maiva nemari zhinji, munyori wamambo nemutariri wemupristi mukuru vaiuya ndokudurura bhokisi, ndokuritora ndokuritakurirazve kunzvimbo yaro. Vakaita saizvozvo zuva nezuva, ndokuunganidza mari zhinji.
  11690. 2Ch 24:12 Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vabati vebasa reshumiro yeimba yaJehovha; ndokuhaya vaivaka nemabwe nevavezi kuvandudza imba yaJehovha, uyewo vapfuri vematare nendarira kusimbisa imba yaJehovha.
  11691. 2Ch 24:13 Naizvozvo vaiti vebasa vakaita kusvika kuvandudzwa kwebasa kwaenderera mberi neruoko rwavo, ndokumisa imba yaMwari nechiyero chayo, ndokuisimbisa.
  11692. 2Ch 24:14 Zvino pakupedza kwavo vakauisa mari yakasara mberi kwamambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, midziyo yeshumiro neyekupira zvipo, nezvibatiso, nemidziyo yegoridhe nesirivha. Zvino vakapa zvipo zvinopiswa muimba yaJehovha rinhi narinhi mazuva ose aJehoyadha.
  11693. 2Ch 24:15 Jehoyadha ndokukwegura, uye akwana pamazuva, ndokufa; waiva nemakore zana nemakumi matatu pakufa kwake.
  11694. 2Ch 24:16 Zvino vakamuviga muguta raDhavhidhi pamwe nemadzimambo; nokuti waiva aita zvakanaka kwaIsraeri nekuna Mwari nekuimba yake.
  11695. 2Ch 24:17 Zvino shure kwekufa kwaJehoyadha machinda aJudha akauya ndokukotamira mambo. Ipapo mambo akavateerera.
  11696. 2Ch 24:18 Zvino vakasiya imba yaJehovha Mwari wemadzibaba avo, ndokushumira matanda ekunamata nawo nezvifananidzo; zvino kutsamwa kwakauya pamusoro paJudha neJerusarema pamusoro pemhosva yavo iyi.
  11697. 2Ch 24:19 Asi wakatuma vaporofita pakati pavo kuvadzosera kuna Jehovha; zvino vakavapupurira, asi havana kupa nzeve.
  11698. 2Ch 24:20 Zvino Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana waJehoyadha mupristi waiva amire pamusoro pevanhu, ndokuti kwavari: Ndizvo zvinoreva Mwari: Munodarikirei imwi mirairo yaJehovha kuti musabudirira? Nekuda kwekuti makasiya Jehovha, iye wakakusiyaiwo.
  11699. 2Ch 24:21 Zvino vakamurangana vakamutaka nemabwe pachivanze cheimba yaJehovha nekuraira kwamambo.
  11700. 2Ch 24:22 Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka Jehoyadha baba vake zvavaiva vamuitira, asi wakauraya mwanakomana wake. Zvino pakufa kwake wakati: Jehovha ngaaone, atsive.
  11701. 2Ch 24:23 Zvino zvakaitika pakudzoka kwegore, hondo yevaSiriya yakakwira kumurwisa; ndokusvika kwaJudha neJerusarema ndokuparadza machinda ose evanhu pavanhu, ndokutumira zvakapambiwa zvavo zvose kuna mambo weDhamasiko.
  11702. 2Ch 24:24 Nokuti hondo yevaSiriya yakauya neboka diki revanhu; Jehovha ndokupa muruoko rwavo hondo huru kwazvo, nokuti vaiva vasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo. Nokudaro vakaita mutongo kuna Joashi.
  11703. 2Ch 24:25 Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya ari pachirwere chikuru), varanda vake vakamurangana nemhosva yeropa revanakomana vaJehoyadha mupristi, ndokumuuraira pamubhedha wake, zvino akafa; ivo ndokumuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo.
  11704. 2Ch 24:26 Zvino ava ndivo vakamurangana: Zabhadhi mwanakomana waShimeati muAmonikadzi, naJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti muMoabhukadzi.
  11705. 2Ch 24:27 Maererano nevanakomana vake, neukuru hwemutoro waiva pamusoro pake, nekuteyewa kweimba yaMwari, tarirai, zvakanyorwa padudziro yebhuku remadzimambo. Amaziya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11706. 2Ch 25:1 Amaziya waiva nemakore makumi maviri nemashanu akava mambo, ndokutonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jehoadhani weJerusarema.
  11707. 2Ch 25:2 Zvino iye wakaita zvakarurama pameso paJehovha, asi kwete nemoyo wakaperera.
  11708. 2Ch 25:3 Zvino zvakaitika umambo hwasimbiswa kwaari, kuti wakauraya varanda vake vaiva vauraya mambo baba vake.
  11709. 2Ch 25:4 Asi haana kuuraya vana vavo, asi wakaita sezvakanyorwa pamurairo pabhuku raMozisi Jehovha waakaraira achiti: Madzibaba haangafiri vana, nevana havangafiri madzibaba; asi umwe neumwe achafira chivi chake.
  11710. 2Ch 25:5 Amaziya wakaunganidzawo Judha, ndokuvagadza zvichienderana neimba yemadzibaba kuva vatariri vezvuru nevatariri vemazana, kuna Judha wose naBhenjamini; ndokuvaverenga kubva pamakore makumi maviri zvichikwira, ndokuvawana vari zvuru mazana matatu vakasarudzwa, vanobudira hondo, vanobata pfumo nenhovo.
  11711. 2Ch 25:6 Wakahayawo kubva kwaIsraeri varume vane simba veumhare zvuru zana nematarenda zana esirivha.
  11712. 2Ch 25:7 Asi kwakasvika munhu waMwari kwaari achiti: Haiwa mambo, hondo yaIsraeri ngairege kuenda nemwi, nokuti Jehovha haasi pana Israeri, ivo vana vaEfuremu vose.
  11713. 2Ch 25:8 Asi kana imwi muchienda, itai, shingai pahondo; Mwari achakugumbusai mberi kwemuvengi. Nokuti kune simba kuna Mwari rekubatsira nerekugumbusa.
  11714. 2Ch 25:9 Zvino Amaziya wakati kumunhu waMwari: Zvino tichaita sei nematarenda zana andakapa hondo yakarongwa yaIsraeri? Munhu waMwari ndokuti: Jehovha ane zvakawanda pane izvi kupa kwauri.
  11715. 2Ch 25:10 Zvino Amaziya wakavatsaura, iyo hondo yakarongwa yaiva yasvika kwaari kubva kwaEfuremu, kuti vaende kunzvimbo yavo. Kutsamwa kwavo ndokupfutira kwazvo Judha, ndokudzokera kunzvimbo yavo mukupfuta kwehasha.
  11716. 2Ch 25:11 Zvino Amaziya wakazvisimbisa ndokutungamirira vanhu vake ndokuenda kumupata wemunyu, ndokurova vana veSeiri, zvuru gumi.
  11717. 2Ch 25:12 Vana vaJudha ndokutapa zvuru gumi vari vapenyu, ndokuvauisa panhongonya yeruwere, ndokuvapotsera kubva panhongonya yeruwere kusvika vavhunikanya vose.
  11718. 2Ch 25:13 Asi vana vehondo yakarongwa Amaziya vaakadzosa kuti vasaenda naye kuhondo, vakawira maguta aJudha, kubva paSamariya kusvika paBheti-Horoni, ndokurova zvuru zvitatu kwavari, ndokupamba zvakapambiwa zvizhinji.
  11719. 2Ch 25:14 Zvino zvakaitika shure kwekunge Amaziya adzoka pakurova vaEdhomu, kuti wakauya navamwari vevana veSeiri, ndokuvamisa kuva mwari wake, ndokuvafugamira nekuvapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  11720. 2Ch 25:15 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Amaziya, ndokutuma kwaari muporofita wakati kwaari: Unotsvakirei vamwari vevanhu vasina kununura vanhu vavo paruoko rwako?
  11721. 2Ch 25:16 Zvino zvakaitika paaitaura naye, kuti wakati kwaari: Takakugadza here kuti uve murairiri wamambo? Regera iwe, ucharoverwei? Muporofita ndokuregera ndokuti: Ndinoziva kuti Mwari wakatemera kukuparadza, nokuti wakaita ichi, uye hauna kuteerera kuraira kwangu.
  11722. 2Ch 25:17 Zvino Amaziya mambo waJudha wakatora zano, ndokutuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo waIsraeri achiti: Uya tionane pachiso.
  11723. 2Ch 25:18 Joashi mambo waIsraeri ndokutuma kuna Amaziya mambo waJudha achiti: Rukato rwuri paRebhanoni rwakatuma kumusidhari uri paRebhanoni, rwuchiti: Ipa mukunda wako kumwanakomana kuva mukadzi; asi chikara chesango chiri muRebhanoni chakapfuura, ndokutsika-tsika rukato.
  11724. 2Ch 25:19 Iwe unoti: Tarira warova vaEdhomu; zvino moyo wako unozvisimudzira kuti uzvikudze; ikozvino gara muimba yako. Unozvipinzireiko pane chakaipa kuti uwe, iwe naJudha pamwe newe?
  11725. 2Ch 25:20 Asi Amaziya haana kuteerera, nokuti zvaiva zvaMwari, kuti avape muruoko rwavo; nokuti vakatsvaka vamwari veEdhomu.
  11726. 2Ch 25:21 Zvino Joashi mambo waIsraeri wakakwira, ivo ndokuonana pachiso, iye naAmaziya mambo waJudha, paBheti-Shemeshi riri raJudha.
  11727. 2Ch 25:22 Zvino Judha wakarohwa pamberi paIsraeri, ivo ndokutizira umwe neumwe kutende rake.
  11728. 2Ch 25:23 Joashi mambo waIsraeri ndokutora Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBheti-Shemeshi, ndokuuya naye kuJerusarema, ndokuputsa rusvingo rweJerusarema kubva pasuwo raEfuremu kusvika pasuwo repakona, makubhiti mazana mana.
  11729. 2Ch 25:24 Ndokutora goridhe rose, nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa muimba yaMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nezvakakosha zveimba yamambo, nevaiva chibatiso, ndokudzokera kuSamariya.
  11730. 2Ch 25:25 Zvino Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakararama makore gumi nemashanu shure kwekufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.
  11731. 2Ch 25:26 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAmaziya, dzekutanga nedzekupedzisira, tarirai, hadzina kunyorwa here mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri?
  11732. 2Ch 25:27 Zvino kubva panguva Amaziya yaakatsauka pakutevera Jehovha, vakamurangana chirangano paJerusarema; iye ndokutizira kuRakishi; asi vakatuma shure kwake kuRakishi, ndokumuurairapo.
  11733. 2Ch 25:28 Zvino vakamutakura pamusoro pemabhiza, ndokumuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.
  11734. 2Ch 26:1 Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya waiva nemakore gumi nematanhatu, ndokumuita mambo pachinzvimbo chababa vake Amaziya.
  11735. 2Ch 26:2 Iye wakavaka Eroti, ndokuridzosera kuna Judha, shure kwekurara kwamambo nemadzibaba ake.
  11736. 2Ch 26:3 Uziya waiva nemakore gumi nematanhatu paakava mambo, ndokutonga makore makumi mashanu nemaviri paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jekoria weJerusarema.
  11737. 2Ch 26:4 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, zvichienderana nezvose Amaziya baba vake zvavakaita.
  11738. 2Ch 26:5 Zvino waitsvaka Mwari mumazuva aZekariya, wainzwisisa pazviratidzo zvaMwari; zvino pamazuva ekutsvaka kwake Jehovha, Mwari wakamubudiririsa.
  11739. 2Ch 26:6 Zvino wakabuda ndokurwa nevaFirisitia, ndokuputsa rusvingo rweGati, nerusvingo rweJabhine, nerusvingo rweAshidhodhi; ndokuvaka maguta paAshidhodhi nepakati pevaFirisitia.
  11740. 2Ch 26:7 Zvino Mwari wakamubatsira kurwisa vaFirisitia uye kurwisa VaArabhiya vaigara muGuri-Bhaari, nevaMeunimi.
  11741. 2Ch 26:8 Zvino vaAmoni vakapa zvipo kuna Uziya; zita rake ndokufamba kusvika panopindwa napo muEgipita; nokuti wakazvisimbisa kwazvo.
  11742. 2Ch 26:9 Uziya wakavakawo shongwe paJerusarema pasuwo rekona, nepasuwo remupata, nepakudzoka, ndokudzisimbisa.
  11743. 2Ch 26:10 Wakavakawo shongwe murenje, ndokuchera matsime mazhinji, nokuti waiva nemombe zhinji, zvose pamipata nepamapani, varimi, nevasimi vemazambiringa, pamakomo nepaKarimeri, nokuti waida ivhu.
  11744. 2Ch 26:11 Uye Uziya waiva nehondo yevanorwa vaibudira hondo nemapoka, zvichienderana neuwandu hwekuverengwa kwavo neruoko rwaJeieri munyori, naMaaseya mutongi, pasi peruoko rwaHananiya wevakuru vamambo.
  11745. 2Ch 26:12 Uwandu hwose hwemisoro yemadzibaba evane simba veumhare hwaiva zvuru zviviri nemazana matanhatu.
  11746. 2Ch 26:13 Zvino pasi peruoko rwavo paiva nesimba rehondo, zvuru mazana matatu nezvinomwe nemazana mashanu, vaiita hondo nesimba guru, kupa rubatsiro kuna mambo kurwisa muvengi.
  11747. 2Ch 26:14 Zvino Uziya wakavagadzirira, hondo yose, nhovo, nemapfumo, nenguwani, nenguvo dzeutare, neuta, nemabwe ezvifuramabwe.
  11748. 2Ch 26:15 Zvino wakaita muJerusarema michina, chivambwa chevakangwara, kuva pamusoro peshongwe nepamusoro pemakona, kufura miseve nemabwe makuru. Zvino zita rake rakabuda kusvika kure nokuti waibatsirwa zvinoshamisa kusvika asimba.
  11749. 2Ch 26:16 Asi paaiva asimba, moyo wake wakazvitutumadzira kuparadzwa, nokuti wakatadzira Jehovha Mwari wake; ndokupinda mutembere yaJehovha kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  11750. 2Ch 26:17 Zvino Azariya mupristi wakapinda shure kwake uye ane vapristi vaJehovha makumi masere, varume veumhare.
  11751. 2Ch 26:18 Zvino vakamirisana naUziya mambo, ndokuti kwaari: Hazvisi zvako Uziya kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Jehovha, asi zvevapristi vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuhwira; buda panzvimbo tsvene, nokuti wadarika; uye hazvisi zverukudzo rwako kubva kuna Jehovha Mwari.
  11752. 2Ch 26:19 Zvino Uziya wakatsamwa; zvino maiva nembiya muruoko rwake kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira; zvino paaiva achakatsamwira vapristi, maperembudzi akasimuka pahuma yake pamberi pevapristi muimba yaJehovha, kubva paaritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  11753. 2Ch 26:20 Zvino Azariya mupristi mukuru nevapristi vose vakatarisa kwaari, zvino tarira, wakava nemaperembudzi pahuma yake, uye vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha waiva amurova.
  11754. 2Ch 26:21 Zvino Uziya mambo waiva nemaperembudzi kusvika pazuva rekufa kwake, ndokugara muimba yakasununguka ane maperembudzi, nokuti wakagurwa kubva muimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake ndokuva pamusoro peimba yamambo, achitonga vanhu venyika.
  11755. 2Ch 26:22 Zvino dzimwe dzenyaya dzaUziya, dzekutanga nedzekupedzisira, Isaya muporofita mwanakomana waAmozi wakadzinyora.
  11756. 2Ch 26:23 Uziya ndokurara nemadzibaba ake; ivo ndokumuviga kumadzibaba ake mumunda weguva waiva wemadzimambo; nokuti vakati: Une maperembudzi. Jotamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11757. 2Ch 27:1 Jotamu waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nematanhatu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Jerusha mukunda waZadhoki.
  11758. 2Ch 27:2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, zvichienderana nezvose baba vake Uziya zvavakaita; koga haana kupinda mutembere yaJehovha. Uye vanhu vairamba vachiita zvakaora.
  11759. 2Ch 27:3 Iye wakavaka suwo rekumusoro reimba yaJehovha, nepachidziro cheshongwe wakavaka zvizhinji.
  11760. 2Ch 27:4 Wakavakawo maguta pamakomo aJudha, uye mumasango wakavaka dzinhare nedzishongwe.
  11761. 2Ch 27:5 Iye wakarwawo namambo wevana vaAmoni ndokuvakunda. Vana vaAmoni ndokumupa mugore iroro matarenda esirivha zana, nemakori egorosi zvuru gumi, neebhari zvuru gumi. Vana vaAmoni vakadzosa izvi kwaari mugorewo rechipiri nerechitatu.
  11762. 2Ch 27:6 Naizvozvo Jotamu wakazvisimbisa, nokuti wakagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.
  11763. 2Ch 27:7 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJotamu, nehondo dzake dzose, nenzira dzake, tarira, dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri naJudha.
  11764. 2Ch 27:8 Waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nematanhatu paJerusarema.
  11765. 2Ch 27:9 Zvino Jotamu wakarara nemadzibaba ake; ivo ndokumuviga muguta raDhavhidhi. Ahazi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11766. 2Ch 28:1 Ahazi waiva nemakore makumi maviri paakava mambo, ndokutonga makore gumi nematanhatu paJerusarema; asi haana kuita zvakarurama pameso paJehovha, saDhavhidhi baba vake;
  11767. 2Ch 28:2 nokuti wakafamba munzira dzemadzimambo aIsraeri, ndokuitirawo vana Bhaari zvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa.
  11768. 2Ch 28:3 Uye iye wakapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamupata wemwanakomana waHinomi, ndokupisa vana vake mumoto, sezvinyangadzo zvendudzi Jehovha dzaaiva adzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.
  11769. 2Ch 28:4 Wakabairawo ndokupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira, nepazvikomo, nepasi pemuti umwe neumwe munyoro.
  11770. 2Ch 28:5 Saka Jehovha Mwari wake wakamupa muruoko rwamambo weSiriya; iye ndokumurova, ndokutapa kwaari vakatapwa vazhinji, ndokuvaisa kuDhamasiko. Uyewo wakapiwa muruoko rwamambo waIsraeri, iye ndokumurova nekurova kukuru.
  11771. 2Ch 28:6 Nokuti Peka mwanakomana waRemariya wakauraya paJudha zvuru zana nemakumi maviri pazuva rimwe; vose vari varume veumhare; nokuti vaiva vasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo.
  11772. 2Ch 28:7 Zvino Zikiri murume waiva nesimba waEfuremu wakauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naAzirikamu mutariri weimba, naErikana wepiri kuna mambo.
  11773. 2Ch 28:8 Zvino vana vaIsraeri vakatapa pahama dzavo zvuru mazana maviri, vakadzi, vanakomana, nevanasikana, uye vakapambawo zvakapambiwa zvizhinji kwavari; ndokupinza zvakapambiwa muSamariya.
  11774. 2Ch 28:9 Asi ipapo paiva nemuporofita waJehovha wainzi Odhedhi. Zvino wakabuda pamberi pehondo yakauya kuSamariya, ndokuti kwavari: Tarirai, kubudikidza nehasha dzaJehovha Mwari wemadzibaba enyu pamusoro paJudha, wakavapa muruoko rwenyu; uye imwi makavauraya nehasha dzinonanavira kumatenga.
  11775. 2Ch 28:10 Zvino ikozvino imwi munoti munoisa pasi penyu vana vaJudha neveJerusarema, vave nhapwa nenhapwakadzi; asi imwi, hakuna mhosva here kwamuri dzinopokana naJehovha Mwari wenyu?
  11776. 2Ch 28:11 Naizvozvo zvino ndinzwei, mudzosere vatapwa vamakatapa pahama dzenyu; nokuti kupfuta kwehasha dzaJehovha kuri pamusoro penyu.
  11777. 2Ch 28:12 Zvino vamwe vemisoro yevana vaEfuremu: Azariya mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, naJehizikia mwanakomana waSharumi, naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakamirisana neavo vaiuya kubva kuhondo,
  11778. 2Ch 28:13 ndokuti kwavari: Hamungapinzi vatapwa pano, nokuti, kuti mhosva inobva kuna Jehovha ive pamusoro pedu, munoti tiwedzere pazvivi zvedu nepamhosva yedu; nokuti mhosva dzedu ihuru, uye kupfuta kwehasha kuri pamusoro paIsraeri.
  11779. 2Ch 28:14 Naizvozvo vakashonga zvombo vakasiya vatapwa nezvakapambiwa pamberi pemachinda neungano yose.
  11780. 2Ch 28:15 Zvino varume varehwa nemazita vakasimuka ndokubata vatapwa, ndokupfekedza vose vaiva vakashama vavo nezvakabva pane zvakapambiwa, hongu vakavapfekedza, ndokuvaisa manyatera, ndokuvadyisa nekuvanwisa, ndokuvazodza, ndokutakura vose vaiva vasina simba pamusoro pembongoro, ndokuvaunza paJeriko guta remichindwe pedo nehama dzavo; ivo ndokudzokera kuSamariya.
  11781. 2Ch 28:16 Panguva iyoyo mambo Ahazi wakatuma kumadzimambo eAsiriya kuti amubatsire.
  11782. 2Ch 28:17 Nokuti vaEdhomu vaiva vauyazve, ndokurova Judha ndokutapa vatapwa.
  11783. 2Ch 28:18 VaFirisitiawo vaiva vavamba maguta emupata, nechamhembe kwaJudha, uye vatapa Bheti-Shemeshi, neAjaroni, neGedheroti, neSoko nemisha yawo, neTimina nemisha yaro, neGimizo nemisha yaro; ndokugaramo.
  11784. 2Ch 28:19 Nokuti Jehovha wakaninipisa Judha nekuda kwaAhazi mambo waIsraeri; nokuti waiva aitisa Judha zvisina maturo, ndokutadza zvikuru kuna Jehovha.
  11785. 2Ch 28:20 Zvino Tirigati-Pirineseri mambo weAsiriya wakauya kwaari, ndokumutambudza, asi haana kumusimbisa.
  11786. 2Ch 28:21 Nokuti Ahazi wakatora mugove weimba yaJehovha neweimba yamambo newemachinda, ndokupa kuna mambo weAsiriya; zvakadaro haana kumubatsira.
  11787. 2Ch 28:22 Zvino panguva yekutambudzika kwake wakawedzera kutadzira Jehovha; uyu mambo Ahazi.
  11788. 2Ch 28:23 Nokuti wakabaira kuna vamwari veDhamasiko vaiva vamurova, ndokuti: Nokuti vamwari vemadzimambo eAsiriya vanovabatsira, ndichavabairawo, kuti vandibatsirewo. Asi ivo vakava kuparadzwa kwake nekwaIsraeri wose.
  11789. 2Ch 28:24 Zvino Ahazi wakaunganidza midziyo yeimba yaMwari ndokuputsanya midziyo yeimba yaMwari, ndokupfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pakona imwe neimwe muJerusarema.
  11790. 2Ch 28:25 Nemuguta rimwe nerimwe neguta rekwaJudha wakaita nzvimbo dzakakwirira kupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kune vamwe vamwari, ndokutsamwisa Jehovha Mwari wemadzibaba ake.
  11791. 2Ch 28:26 Zvino dzimwe dzenyaya dzake, nenzira dzake dzose, dzekutanga nedzekupedzisira, tarira dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri.
  11792. 2Ch 28:27 Ahazi ndokurara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muguta muJerusarema; asi havana kumuunza kumakuva emadzimambo aIsraeri. Hezekia mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11793. 2Ch 29:1 Hezekia wakava mambo ane makore makumi maviri nemashanu; ndokutonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Abhija mukunda waZekariya.
  11794. 2Ch 29:2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha zvichienderana nezvose zvakaita Dhavhidhi baba vake.
  11795. 2Ch 29:3 Iye pagore rekutanga rekutonga kwake, mumwedzi wekutanga, wakazarura mikova yeimba yaJehovha, ndokuigadzirisa.
  11796. 2Ch 29:4 Ndokupinza vapristi nevaRevhi, ndokuvaunganidza panhandare yekumabvazuva.
  11797. 2Ch 29:5 Ndokuti kwavari: Ndinzwei imwi vaRevhi; zviitei vatsvene ikozvino, muitewo imba yaJehovha Mwari wemadzibaba enyu tsvene; mugobudisa tsvina kubva munzvimbo tsvene.
  11798. 2Ch 29:6 Nokuti madzibaba edu akadarika ndokuita chakaipa pameso paJehovha Mwari wedu, ndokumusiya, ndokutendeudza zviso zvavo kubva kuugaro hwaJehovha, ndokufuratira.
  11799. 2Ch 29:7 Vakapfigawo mikova yeberere, nekudzima mwenje, uye havana kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, uye havana kupa zvipo zvinopiswa, panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri.
  11800. 2Ch 29:8 Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakava pamusoro paJudha neJerusarema. Zvino wakavapa kudambudziko, kuchikatyamadzo, nekukuridza muridzo, sezvamunoona nemeso enyu.
  11801. 2Ch 29:9 Nokuti tarirai, madzibaba edu akawa nemunondo; uye vanakomana vedu nevanasikana vedu nevakadzi vedu vari muutapwa nekuda kweizvi.
  11802. 2Ch 29:10 Zvino zviri mumoyo wangu kuita sungano naJehovha Mwari waIsraeri, kuti kupfuta kwehasha dzake kudzokere kubva kwatiri.
  11803. 2Ch 29:11 Vanakomana vangu, ikozvino musava vasina hanya, nokuti Jehovha wakakusarudzai kuti mumire pamberi pake kumushumira nekuva varanda vake uye vapisi vezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  11804. 2Ch 29:12 Zvino vaRevhi vakasimuka, Mahati mwanakomana waAmasai, naJoweri mwanakomana waAzariya pavanakomana vevaKohati; nepavanakomana vaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi, naAzariya mwanakomana waJeharereri; nepavaGerishoni, Joa mwanakomana waZima, naEdheni mwanakomana waJoa;
  11805. 2Ch 29:13 nepavanakomana vaErizafani, Shimiri naJeieri; nepavanakomana vaAsafi, Zekariya naMataniya;
  11806. 2Ch 29:14 nepavanakomana vaHemani, Jehieri naShimei; nepavanakomana vaJedhutuni, Shemaya naUziyeri.
  11807. 2Ch 29:15 Zvino vakaunganidza hama dzavo, ndokuzviita vatsvene, ndokuuya zvichienderana nemurairo wamambo nemashoko aJehovha, kuti vanatse imba yaJehovha.
  11808. 2Ch 29:16 Vapristi vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, ndokubudisira utsvina hwose hwavakawana mutembere yaJehovha kuchivanze cheimba yaJehovha. VaRevhi ndokutora kubudisira kunze kurukova Kidhironi.
  11809. 2Ch 29:17 Zvino vakatanga kuiita tsvene nezuva rekutanga remwedzi wekutanga. Zvino nezuva resere remwedzi vakasvika paberere raJehovha; ndokuita tsvene imba yaJehovha mumazuva masere. Uye vakapedza nezuva regumi netanhatu remwedzi wekutanga.
  11810. 2Ch 29:18 Zvino vakapinda mukati kuna Hezekia mambo ndokuti: Tanatsa imba yose yaJehovha, aritari yezvipo zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, netafura yezvingwa zvekuratidza, nemidziyo yayo yose.
  11811. 2Ch 29:19 Uye midziyo yose mambo Ahazi yaakarasa pakutonga kwake, pachitadzo chake, tagadzira uye taitsvenesa; zvino tarirai, iri pamberi pearitari yaJehovha.
  11812. 2Ch 29:20 Zvino mambo Hezekia wakamuka mangwanani, ndokuunganidza machinda eguta, ndokukwira kuimba yaJehovha.
  11813. 2Ch 29:21 Zvino vakauisa nzombe diki nomwe, nemakondohwe manomwe, nemakwayana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, kuva chipo chechivi cheushe necheimba tsvene nechaJudha. Zvino wakaraira vapristi vanakomana vaAroni kuzvipa pamusoro pearitari yaJehovha.
  11814. 2Ch 29:22 Zvino vakauraya nzombe, vapristi ndokugamuchira ropa, ndokusasa paaritari; ndokuuraya makondohwe, vakasasa ropa paaritari; vakaurayawo makwayana, vakasasa ropa paaritari.
  11815. 2Ch 29:23 Vakaswededzawo nhongo dzembudzi dzechipo chechivi pamberi pamambo neungano, ivo ndokuisa maoko avo pamusoro padzo.
  11816. 2Ch 29:24 Vapristi ndokudziuraya, ndokuchenesa neropa radzo pamusoro pearitari kuitira Israeri wose chiyananiso, nokuti mambo wakaraira: Chipo chinopiswa nechipo chezvivi zvinoitirwa Israeri wose.
  11817. 2Ch 29:25 Zvino wakaisa vaRevhi muimba yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa, uye nembira, zvichienderana nemurairo waDhavhidhi, newaGadhi muoni wamambo, newaNatani muporofita; nokuti neruoko rwaJehovha murairo waivapo neruoko rwevaporofita vake.
  11818. 2Ch 29:26 VaRevhi ndokumira nemidziyo yekuridza yaDhavhidhi, nevapristi vane hwamanda.
  11819. 2Ch 29:27 Zvino Hezekia wakaraira kupa chipo chinopiswa pamusoro pearitari. Zvino panguva yakatanga chipo chinopiswa, rwiyo rwaJehovha rwakatanga, pamwe nehwamanda uye pamwe nemidziyo yekuridza yaDhavhidhi mambo waIsraeri.
  11820. 2Ch 29:28 Ungano yose ndokukotama, uye vaimbi vachiimba, nevaridzi vehwamanda vachiridza; zvose izvi zvakaitika kusvika chipo chinopiswa chapera.
  11821. 2Ch 29:29 Zvino pakuguma kwekupa, mambo nevose vaivapo pamwe naye vakakotama, ndokunamata.
  11822. 2Ch 29:30 Zvino Hezekia mambo nemachinda vakaraira vaRevhi kurumbidza Jehovha nemashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Ndokuimba rumbidzo kusvika pamufaro, ndokukotama ndokunamata.
  11823. 2Ch 29:31 Hezekia ndokupindura ndokuti: Zvino mazvitsaurira Jehovha; swederai muuye nezvibairo nezvipo zvekuvonga muimba yaJehovha. Ungano ndokuuya nezvibairo nezvipo zvekuvonga; uye vose vaiva vemoyo wakasununguka vakauya nezvipo zvinopiswa.
  11824. 2Ch 29:32 Zvino uwandu hwezvipo zvinopiswa ungano zvayakauisa hwaiva nzombe makumi manomwe, makondohwe zana, makwayana mazana maviri; izvi zvose chaiva chipo chinopiswa kuna Jehovha.
  11825. 2Ch 29:33 Uye zvinhu zvakaitwa zvitsvene zvaiva nzombe mazana matanhatu nemakwai zvuru zvitatu.
  11826. 2Ch 29:34 Asi vapristi vaiva vashoma kwazvo zvekuti vaiva vasingagoni kuvhiya zvipo zvinopiswa zvose; asi vaRevhi hama dzavo vakavabatsira kusvika basa rapera, uye kusvika vapristi vazvitsvenesa; nokuti vaRevhi vaiva nekururama kwemoyo pakuzvinatsa kupfuura vapristi.
  11827. 2Ch 29:35 Zvino zvipo zvinopiswa zvaiva zvakawandawo, nemafuta ezvipo zvekuyananisa, uye nezvipo zvinodururwa zvechipo chimwe nechimwe chinopiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.
  11828. 2Ch 29:36 Ipapo Hezekia akafara, nevanhu vose, neizvo Mwari zvaaiva agadzirira vanhu; nokuti chinhu ichi chakaitwa nekuchimbidzika.
  11829. 2Ch 30:1 Zvino Hezekia wakatuma [nhume] kuna Israeri wose naJudha, ndokunyorawo tsamba kuna Efuremu naManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusarema, kuzoitira Jehovha Mwari waIsraeri pasika.
  11830. 2Ch 30:2 Nokuti mambo waiva arangana nemachinda ake neungano yose paJerusarema, kuita pasika mumwedzi wechipiri.
  11831. 2Ch 30:3 Nokuti vaiva vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapristi havana kuzvitsvenesa zvakakwana, uye vanhu vaiva vasina kuungana paJerusarema.
  11832. 2Ch 30:4 Zvino chinhu ichi chakava chakarurama pameso pamambo nepameso peungano yose.
  11833. 2Ch 30:5 Naizvozvo vakasimbisa shoko kupfuudza chiziviso kuna Israeri wose, kubva paBheeri-Shebha kusvika paDhani, kuti vauye kuzoitira Jehovha Mwari waIsraeri pasika muJerusarema; nokuti vaiva vasina kuiita kwenguva refu, sezvazvaiva zvakanyorwa.
  11834. 2Ch 30:6 Naizvozvo vamhanyi vakaenda netsamba kubva muruoko rwamambo nemachinda ake kuna Israeri wose naJudha, uye zvichienderana nemurairo wamambo, vachiti: Imwi vana vaIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka, naIsraeri, uye iye achadzokera kune vakapukunyuka, vasara venyu kubva paruoko rwemadzimambo eAsiriya.
  11835. 2Ch 30:7 Uye regai kuva semadzibaba enyu, uye sehama dzenyu, vakadarikira Jehovha Mwari wemadzibaba avo, kusvika avapa kukuparadzwa sezvamunoona.
  11836. 2Ch 30:8 Ikozvino musaomesa mutsipa wenyu semadzibaba enyu; ipai ruoko kuna Jehovha, mugopinda muimba yake tsvene, yaakatsvenesa nekusingaperi, mugoshumira Jehovha Mwari wenyu, kuti kupfuta kwehasha dzake kudzoke kubva kwamuri.
  11837. 2Ch 30:9 Nokuti pakudzokera kwenyu kuna Jehovha, hama dzenyu nevana venyu vachawana tsitsi pamberi pevatapi vavo, kuti vadzoke kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi; uye haafuratidzi chiso kubva kwamuri kana mukadzokera kwaari.
  11838. 2Ch 30:10 Naizvozvo vamhanyi vakapfuurira kubva paguta kuenda kuguta panyika yaEfuremu naManase, kusvikawo paZebhuruni; asi vakavaseka vakavasveeredza.
  11839. 2Ch 30:11 Zvakadaro vamwe kubva kwaAsheri naManase nekubva kuna Zebhuruni vakazvininipisa vakauya kuJerusarema.
  11840. 2Ch 30:12 NekwaJudha ruoko rwaMwari rwaivapo kuvapa moyo umwe, kuita murairo wamambo nemachinda neshoko raJehovha.
  11841. 2Ch 30:13 Zvino kwakaungana paJerusarema vanhu vazhinji kuita mutambo wechingwa chisina mbiriso nemwedzi wechipiri, ungano huru kwazvo.
  11842. 2Ch 30:14 Zvino vakasimuka ndokubvisa aritari dzaiva paJerusarema, nearitari dzose dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira vakabvisa, ndokukandira murukova Kidhironi.
  11843. 2Ch 30:15 Zvino vakauraya pasika nezuva regumi nemana remwedzi wechipiri; vapristi nevaRevhi ndokunyara, vakazvitsvenesa, ndokuunza zvipo zvinopiswa muimba yaJehovha.
  11844. 2Ch 30:16 Zvino vakamira panzvimbo yavo zvichienderana netsika yavo zvichienderana nemurairo waMozisi munhu waMwari; vapristi vakasasa ropa kubva muruoko rwevaRevhi.
  11845. 2Ch 30:17 Nokuti kwaiva nevazhinji paungano vaiva vasina kuzvitsvenesa; naizvozvo vaRevhi vaiva pamusoro pekuuraya dzipasika dzevose vaiva vasina kuchena, kuvatsvenesera Jehovha.
  11846. 2Ch 30:18 Nokuti chaunga chevanhu, vazhinji vekwaEfuremu, naManase, Isasikari, naZebhuruni, chaiva chisina kuzvinatsa; zvakadaro vakadya pasika nemutoo waiva usina kunyorwa. Asi Hezekia wakavanyengeterera achiti: Jehovha wakanaka ngaaitire chiyananiso
  11847. 2Ch 30:19 umwe neumwe anogadzirira moyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wemadzibaba ake, kunyange asina kuita zvichienderana nekunatsa kwenzvimbo tsvene.
  11848. 2Ch 30:20 Jehovha ndokunzwa Hezekia, ndokuporesa vanhu.
  11849. 2Ch 30:21 Zvino vana vaIsraeri vaivapo paJerusarema vakaita mutambo wechingwa chisina mbiriso mazuva manomwe nemufaro mukuru. VaRevhi nevapristi ndokurumbidza Jehovha zuva nezuva nezvekuimbisa nesimba kuna Jehovha.
  11850. 2Ch 30:22 Zvino Hezekia wakataura kumoyo yevaRevhi vose vaiva nekunzwisisa paruzivo rwakanaka rwaJehovha. Zvino vakadya pamutambo wakatarwa mazuva manomwe, vachipa zvibairo zvezvipo zvekuyananisa, vachirumbidza Jehovha Mwari wemadzibaba avo.
  11851. 2Ch 30:23 Zvino ungano yose yakarangana kuita amwe mazuva manomwe; vakaita mazuva manomwezve nemufaro.
  11852. 2Ch 30:24 Nokuti Hezekia mambo waJudha wakapa kuungano nzombe diki churu nemakwai zvuru zvinomwe; nemachinda akapa kuungano nzombe diki churu nemakwai zvuru gumi; vapristi ndokuzvitsvenesa vakawanda.
  11853. 2Ch 30:25 Zvino ungano yose yaJudha, nevapristi nevaRevhi, neungano yose yaibuda kubva kwaIsraeri, nevatorwa vakabva kubva panyika yaIsraeri, nevaigara paJudha, vakafara.
  11854. 2Ch 30:26 Naizvozvo kwakava nemufaro mukuru paJerusarema; nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsraeri hakuna kuva nezvakadaro paJerusarema.
  11855. 2Ch 30:27 Zvino vapristi vaRevhi vakasimuka ndokuropafadza vanhu; inzwi ravo ndokunzwikwa, nemunyengetero wavo wakasvika kuugaro hwake utsvene kumatenga.
  11856. 2Ch 31:1 Zvino pakapera izvi zvose, Israeri wose waivapo wakabudira kumaguta aJudha, ndokuguranya shongwe dziri zvifananidzo, nekutema matanda ekunamata nawo, ndokuputsa nzvimbo dzakakwirira nedziaritari kubva kwaJudha wose naBhenjamini, nekwaEfuremu naManase, kusvika vazviparadza chose. Vana vaIsraeri vose ndokudzokera, umwe neumwe kufuma yake, kumaguta avo.
  11857. 2Ch 31:2 Hezekia ndokugadza mapoka evapristi nevaRevhi zvichienderana nemapoka avo, munhu umwe neumwe zvichienderana nebasa rake, vapristi nevaRevhi, pachipo chinopiswa nepazvipo zvekuyananisa, kushumira nekuvonga nekurumbidza pamasuwo emisasa yaJehovha.
  11858. 2Ch 31:3 Nemugove wamambo, kubva pafuma yake wezvipo zvinopiswa, wezvipo zvinopiswa nezvemangwanani nezvemadekwani, nezvipo zvinopiswa zvemasabata, nezvekugara kwemwedzi, nezvemitambo yakatarwa, sezvakanyorwa pamurairo waJehovha.
  11859. 2Ch 31:4 Wakatiwo kuvanhu, kuvagari veJerusarema, vape mugove wevapristi nevaRevhi, kuti vasimbiswe pamurairo waJehovha.
  11860. 2Ch 31:5 Zvino pakupararira kweshoko vana vaIsraeri vakawedzera pazvibereko zvekutanga zvezviyo, waini itsva, nemafuta, neuchi, nepamichero yose yemunda; uye chegumi chezvose vakauisa zviri zvizhinji.
  11861. 2Ch 31:6 Nevana vaIsraeri naJudha vaigara pamaguta aJudha, ivo vakauyawo nezvegumi zvenzombe nemakwai, nezvegumi zvezvinhu zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakaisa mirwi mirwi.
  11862. 2Ch 31:7 Mumwedzi wetatu vakatanga kudzika nheyo dzemirwi, uye mumwedzi wechinomwe vakapedza.
  11863. 2Ch 31:8 Hezekia nemachinda pavakasvika vakaona mirwi, vakarumbidza Jehovha nevanhu vake Israeri.
  11864. 2Ch 31:9 Zvino Hezekia wakabvunza kuvapristi nevaRevhi pamusoro pemirwi.
  11865. 2Ch 31:10 Zvino Azariya mupristi mukuru weimba yaZadhoki wakataura naye ndokuti: Kubva pakutanga kwekuuiswa kwezvipo muimba yaJehovha, kwakava nekudya nekuguta nezvekusiya zvakawanda; nokuti Jehovha wakaropafadza vanhu vake kusvika kwasara izvi zvakawanda.
  11866. 2Ch 31:11 Zvino Hezekia wakaraira kugadzira makamuri muimba yaJehovha; ivo ndokugadzira.
  11867. 2Ch 31:12 Zvino vakapinza zvipo nezvegumi nezvinhu zvakatsveneswa nekutendeka; uye pamusoro pazvo paiva nemutungamiriri Konaniya muRevhi, uye Shimei munin’ina wake waiva wechipiri.
  11868. 2Ch 31:13 NaJehieri, naAzaziya, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, naIsimakiya, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi peruoko rwaKonaniya naShimei munin’ina wake, pakugadza kwamambo Hezekia naAzariya mutongi weimba yaMwari.
  11869. 2Ch 31:14 Zvino Kore mwanakomana waJimina muRevhi, muchengeti wesuwo nechekumabvazuva, waiva pamusoro pezvipo zvekuzvidira zvaMwari, kupa zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene-tsvene.
  11870. 2Ch 31:15 Uye necheparuoko rwake paiva naEdheni, naMiniyamini, naJeshuwa, naShemaya, Amariya, naShekaniya, mumaguta evapristi nekutendeka, kupa kuhama dzavo pamapoka avo, sekuvakuru, zvakadaro kuvadiki;
  11871. 2Ch 31:16 kunze kwevakanyorwa nemarudzi evanhurume, kubva pamakore matatu zvichikwira, kusvika kune umwe neumwe anopinda muimba yaJehovha, pabasa rezuva nezuva raro, pashumiro dzavo, pafaniro dzavo, zvichienderana nemapoka avo.
  11872. 2Ch 31:17 Nevakanyorwa nemarudzi pavapristi neimba yemadzibaba avo, nevaRevhi, kubva pane ane makore makumi maviri zvichikwira, pafaniro dzavo, nemapoka avo.
  11873. 2Ch 31:18 Nepane vakaverengwa nemarudzi, nevanana vavo vose, vakadzi vavo, nevanakomana vavo, nevanasikana vavo, paungano yose, nokuti pakutendeka kwavo vakazviita vatsvene neutsvene.
  11874. 2Ch 31:19 Nepavanakomana vaAroni vapristi, paminda yemafuro emaguta avo, paguta rimwe nerimwe neguta, varume vakarehwa nemazita, kupa migove kuvanhurume vose pakati pevapristi, nekune vose vakaverengwa nemarudzi pakati pevaRevhi.
  11875. 2Ch 31:20 Hezekia ndokuita saizvozvo kuna Judha wose, ndokuita zvakanaka nezvakarurama nechokwadi pamberi paJehovha Mwari wake.
  11876. 2Ch 31:21 Nepabasa rimwe nerimwe raaiva atanga pashumiro yeimba yaMwari, nepamutemo nepamurairo, kutsvaka Mwari wake, wakaita nemoyo wake wose, ndokubudirira.
  11877. 2Ch 32:1 Shure kwezvinhu izvi nekutendeka uku, Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakasvika ndokupinda kwaJudha, ndokudzika musasa kurwisa maguta akashoshewa, ndokufunga kuzvipazira iwo.
  11878. 2Ch 32:2 Hezekia paakaona kuti Seni-Akeribhi wasvika, uye chiso chake chaiva pahondo kurwisa Jerusarema,
  11879. 2Ch 32:3 wakarangana nemachinda ake nevane simba vake kudzivira mvura yezvitubu zvaiva kunze kweguta; ivo ndokumubatsira.
  11880. 2Ch 32:4 Naizvozvo kwakaungana vanhu vazhinji, avo vakadzivira zvitubu zvose nerukova irwo rwaiyerera nepakati penyika, vachiti: Madzimambo eAsiriya achasvikirei akawana mvura zhinji?
  11881. 2Ch 32:5 Zvino wakazvisimbisa, ndokuvaka rusvingo rwose rwaiva rwaputsika, ndokurwukwidza kusvika pashongwe, nerwumwe rusvingo kunze, ndokusimbisa Miro paguta raDhavhidhi, ndokuita zvombo nenhovo zhinji.
  11882. 2Ch 32:6 Zvino wakaisira vanhu vatungamiriri vehondo, ndokuvaunganidza kwaari panhandare yesuwo reguta, ndokutaura kumoyo yavo achiti:
  11883. 2Ch 32:7 Simbai mutsunge, musatya kana kuodzwa moyo pachiso chamambo weAsiriya, kana pachiso chechaunga chose chaanacho, nokuti anesu anopfuura waanaye.
  11884. 2Ch 32:8 Anaye chanza chenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu kutibatsira nekurwa hondo dzedu. Vanhu ndokuzembera pamusoro pemashoko aHezekia mambo waJudha.
  11885. 2Ch 32:9 Shure kweizvi Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakatuma varanda vake kuJerusarema (asi iye waiva pamberi peRakishi nesimba rake rose rinaye) kuna Hezekia mambo waJudha nekuna Judha wose waiva paJerusarema achiti:
  11886. 2Ch 32:10 Ndizvo zvinoreva Seni-Akeribhi mambo weAsiriya: Unovimba nei kuti ugare mukukombwa muJerusarema?
  11887. 2Ch 32:11 Hezekia haakukwezvii kuti muzvipire kufa nenzara uye nenyota here achiti: Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva paruoko rwamambo weAsiriya?
  11888. 2Ch 32:12 Haasi iye Hezekia wakabvisa nzvimbo dzake dzakakwirira nearitari dzake, ndokuraira Judha neJerusarema achiti: Muchashumira pamberi pearitari imwe, mugopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pairi here?
  11889. 2Ch 32:13 Hamuzivi here ini nemadzibaba angu zvatakaitira vanhu vose venyika ino? Vamwari vendudzi dzenyika idzo vaigona kugona kununura nyika dzavo kubva paruoko rwangu here?
  11890. 2Ch 32:14 Ndiani pakati pavamwari vose vendudzi idzo madzibaba angu dzavakaparadza wakagona kununura vanhu vake kubva paruoko rwangu, kuti Mwari wenyu agone kukununurai kubva paruoko rwangu?
  11891. 2Ch 32:15 Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukwezvai nemutoo uyu; uye musamutenda, nokuti hakuna mwari werudzi rwupi nerwupi kana ushe wakagona kununura vanhu vake kubva paruoko rwangu nekubva paruoko rwemadzibaba angu. Naiye zvirokwazvo Mwari wenyu haangakununurii kubva paruoko rwangu here?
  11892. 2Ch 32:16 Zvino varanda vake vakataurazve kupikisa Jehovha Mwari, uye kupikisa muranda wake Hezekia.
  11893. 2Ch 32:17 Wakanyorawo tsamba dzekutuka Jehovha Mwari waIsraeri, nekutaura dzichimupikisa dzichiti: Sevamwari vendudzi dzenyika idzo vasina kununura vanhu vavo kubva paruoko rwangu, saizvozvo Mwari waHezekia haanganunuri vanhu vake kubva paruoko rwangu.
  11894. 2Ch 32:18 Zvino vakadanidzira nenzwi guru nechiJudha kuvanhu veJerusarema vaiva pamusoro perusvingo, kuvatyisa, nekuvanetsa, kuti vatape guta.
  11895. 2Ch 32:19 Zvino vakataura zvaMwari weJerusarema sezvana vamwari vevanhu venyika, basa remaoko emunhu.
  11896. 2Ch 32:20 Asi Hezekia mambo nemuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanyengetera nekuda kweichi, ndokuchemera kumatenga.
  11897. 2Ch 32:21 Zvino Jehovha wakatuma mutumwa uyo wakadzima vane simba veumhare vose nevatungamiriri nemisoro pamusasa wamambo weAsiriya. Naizvozvo wakadzoka panyika yake ane chiso chine nyadzi. Zvino apinde muimba yamwari wake, uye avo vakabuda muura hwake vakamuita kuti awe ipapo nemunondo.
  11898. 2Ch 32:22 Saizvozvo Jehovha wakaponesa Hezekia nevagari veJerusarema kubva paruoko rwaSeni-Akeribhi mambo weAsiriya uye kubva paruoko rwevose, ndokuvatungamirira kumativi ose.
  11899. 2Ch 32:23 Zvino vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusarema, nezvinhu zvakakosha kuna Hezekia mambo waJudha; iye ndokusimudzirwa pamberi pemeso emarudzi ose shure kweizvi.
  11900. 2Ch 32:24 Pamazuva iwawo Hezekia wakarwarira kufa; iye ndokunyengetera kuna Jehovha, iye ndokutaura naye, ndokumupa chiratidzo.
  11901. 2Ch 32:25 Asi Hezekia haana kudzorera sezvinoenderana nemibairo yaaiva aitirwa, nokuti moyo wake waiva pamusoro. Naizvozvo pakava nehasha pamusoro pake, nepamusoro paJudha neJerusarema.
  11902. 2Ch 32:26 Asi Hezekia wakazozvininipisa pamusoro pekuzvikudza kwemoyo wake, iye nevagari veJerusarema, zvekuti hasha dzaJehovha hadzina kuuya pamusoro pavo pamazuva aHezekia.
  11903. 2Ch 32:27 Hezekia waiva nefuma nerukudzo zvizhinji; zvino wakazviitira matura esirivha negoridhe neezvibwe zvinokosha neezvinonhuhwira neenhovo neezvinhu zvose zvinoshuvika,
  11904. 2Ch 32:28 nematura ezvibereko zvezviyo newaini itsva nemafuta, nematanga ezvipfuwo zvemarudzi ose, nezvidyiro zvemapoka.
  11905. 2Ch 32:29 Uye wakazviitira maguta, nefuma yemakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari waiva amupa fuma zhinji kwazvo.
  11906. 2Ch 32:30 Uye ndiye Hezekia wakadzivira chitubu chemvura chekumusoro kweGihoni, ndokuinangisa ichiburuka kumavirira kweguta raDhavhidhi. Hezekia ndokubudirira pamabasa ake ose.
  11907. 2Ch 32:31 Asi zvaiva zvakadaro maererano nevatumwa vemisoro yeBhabhironi, avo vakatuma kwaari kubvunza zvechishamiso chakaitika panyika, Mwari ndokumusiya kuti amuedze kuti azive zvose zviri mumoyo make.
  11908. 2Ch 32:32 Zvino dzimwe dzenyaya dzaHezekia, nekunaka kwake, tarira, zvakanyorwa muchiratidzo chaIsaya muporofita mwanakomana waAmozi, mubhuku remadzimambo aJudha naIsraeri.
  11909. 2Ch 32:33 Hezekia ndokurara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga panhongonya pemakuva evanakomana vaDhavhidhi; Judha wose nevagari veJerusarema vakamuitira rukudzo pakufa kwake. Manase mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11910. 2Ch 33:1 Manase waiva nemakore gumi nemaviri paakava mambo, uye wakatonga makore makumi mashanu nemashanu paJerusarema.
  11911. 2Ch 33:2 Asi wakaita zvakaipa pameso paJehovha, sezvinyangadzo zvevahedheni Jehovha vaaiva adzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.
  11912. 2Ch 33:3 Nokuti wakavakazve nzvimbo dzakakwirira baba vake Hezekia dzavaiva vaputsa, uye wakamisira vana Bhaari dziaritari, ndokuita matanda ekunamata nawo, ndokukotamira hondo yose yekumatenga, ndokuishumira.
  11913. 2Ch 33:4 Zvino wakavaka dziaritari muimba yaJehovha, Jehovha yaaiva ati: PaJerusarema zita rangu richavapo rinhi narinhi.
  11914. 2Ch 33:5 Akavakirawo hondo yose yekumatenga dziaritari muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.
  11915. 2Ch 33:6 Iye wakapfuudzawo vana vake nemumoto mumupata wemwanakomana waHinomi, ndokududzira mashura, nekuita mazango, akaita uroyi, uye wakashanda nemasvikiro nevauki; wakaita zvakaipa zvizhinji pameso paJehovha, kumutsamwisa.
  11916. 2Ch 33:7 Zvino wakaisa muimba yaMwari mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chaaiva aita, imo Mwari maakati kuna Dhavhidhi nekuna Soromoni mwanakomana wake: Muimba ino uye muJerusarema randakasarudza kumarudzi ose aIsraeri, ndinoisa zita rangu kusvika rinhi narinhi.
  11917. 2Ch 33:8 Uye handichabvisizve tsoka yaIsraeri ibude panyika yandakamisira madzibaba enyu; koga kana vachenjerere kuita zvose zvandakavaraira, zvichienderana nemurairo wose nezvimiso nemitemo neruoko rwaMozisi.
  11918. 2Ch 33:9 Naizvozvo Manase wakatsausa Judha nevagari veJerusarema, kuita zvakaipa kupfuura vemarudzi Jehovha vaakaparadza pamberi pevana vaIsraeri.
  11919. 2Ch 33:10 Zvino Jehovha wakataura kuna Manase nekuvanhu vake; asi havana kuteerera.
  11920. 2Ch 33:11 Naizvozvo Jehovha wakauisa pamusoro pavo vakuru vehondo ivo vaiva vamambo weAsiriya, ivo vakabata Manase paminzwa, ndokumusunga nemaketani, vakamutakurira kuBhabhironi.
  11921. 2Ch 33:12 Zvino paaiva pakumanikidzwa, wakanyengeterera chiso chaJehovha Mwari wake, ndokuzvininipisa zvikuru pamberi paMwari wemadzibaba ake.
  11922. 2Ch 33:13 Ndokunyengetera kwaari; iye ndokunyengetedzeka naye, ndokunzwa chikumbiro chake, ndokumudzosa kuJerusarema paushe hwake. Naizvozvo Manase wakaziva kuti Jehovha ndiMwari.
  11923. 2Ch 33:14 Zvino shure kweizvi wakavaka rusvingo kunze kweguta raDhavhidhi, kumavirazuva kweGihoni, mumupata, kusvikawo panopinda pasuwo rehove; ndokukomberedza Oferi, ndokurwukwiridzira kwazvo; ndokuisa vatungamiriri vehondo mumaguta ose akashoshewa kwaJudha.
  11924. 2Ch 33:15 Wakabvisawo vamwari vemarudzi nechifananidzo kubva muimba yaJehovha, nearitari dzose dzaaiva avaka mugomo reimba yaJehovha nemuJerusarema, ndokurasira kunze kweguta.
  11925. 2Ch 33:16 Zvino wakavaka aritari yaJehovha, ndokubairapo zvibairo zvekuyananisa nezvipo zvekuvonga, ndokuraira Judha kushumira Jehovha Mwari waIsraeri.
  11926. 2Ch 33:17 Kunyange zvakadaro vanhu vairamba vachibaira panzvimbo dzakakwirira, koga kuna Jehovha Mwari wavo.
  11927. 2Ch 33:18 Zvino dzimwe dzenyaya dzaManase, nemunyengetero wake kuna Mwari wake, nemashoko evaoni vakataura kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, tarirai, ari munyaya dzemadzimambo aIsraeri.
  11928. 2Ch 33:19 Munyengetero wakewo, nekunyengetedza kwake, nechivi chake chose, nekudarika kwake, nemunzvimbo maakavaka nzvimbo dzakakwirira, nekumisa matanda ekunamata nawo, nemifananidzo, asati azvininipisa, tarirai zvakanyorwa pamashoko evaoni.
  11929. 2Ch 33:20 Zvino Manase wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muimba yake. Amoni mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  11930. 2Ch 33:21 Amoni waiva nemakore makumi maviri nemaviri paakava mambo, ndokutonga makore maviri paJerusarema.
  11931. 2Ch 33:22 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha, sezvakaita Manase baba vake; nokuti Amoni wakabaira mifananidzo yose yakavezwa Manase baba vake yavaiva vaita, ndokuishumira.
  11932. 2Ch 33:23 Zvino haana kuzvininipisa pamberi paJehovha, Manase baba vake sezvavakazvininipisa; asi Amoni uyu wakawedzera kudarika.
  11933. 2Ch 33:24 Zvino varanda vake vakarangana ndokumuuraya muimba yake.
  11934. 2Ch 33:25 Asi vanhu venyika vakarova avo vose vaiva varangana mambo Amoni; vanhu venyika ndokuita Josiya mwanakomana wake mambo pachinzvimbo chake.
  11935. 2Ch 34:1 Josiya waiva nemakore masere paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore makumi matatu nerimwe.
  11936. 2Ch 34:2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, ndokufamba nenzira dzaDhavhidhi baba vake; uye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
  11937. 2Ch 34:3 Nokuti pagore rerusere rekutonga kwake achiri mudiki, wakatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; uye pagore regumi nemaviri wakatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira nematanda ekunamata nawo nemifananidzo yakavezwa nemifananidzo yakaumbwa nekunyungudusa.
  11938. 2Ch 34:4 Vakaputsa aritari dzavana Bhaari pamberi pake; nearitari dzezuva dzaiva padziri pakakwirira wakadzitemera pasi; nematanda ekunamata nawo nemifananidzo yakavezwa nemifananidzo yakaumbwa nekunyungudusa wakaputsa-putsa ndokuita guruva ndokuzviparadzira pamusoro pemakuva eavo vaibaira kwazviri.
  11939. 2Ch 34:5 Zvino wakapisa mapfupa evapristi pamusoro pearitari dzavo, ndokunatsa Judha neJerusarema.
  11940. 2Ch 34:6 Nemumaguta aManase naEfuremu naSimioni, kusvikawo paNafutari, mumatongo awo mativi ose,
  11941. 2Ch 34:7 wakaputsa dziaritari nematanda ekunamata nawo, nekukuya zvifananidzo zvakavezwa kusvika zvava upfu, akatemera pasi aritari dzose dzezuva panyika yose yaIsraeri, ndokudzokera kuJerusarema.
  11942. 2Ch 34:8 Zvino mugore regumi nesere rekutonga kwake, anatsa nyika neimba, wakatuma Shafani mwanakomana waAzariya, naMaaseya mubati weguta, naJoa mwanakomana waJoahazi munyori wenhoroondo, kugadzira imba yaJehovha Mwari wake.
  11943. 2Ch 34:9 Pavakasvika kuna Hirikiya mupristi mukuru, vakapa mari yaiva yaiswa muimba yaMwari, iyo vaRevhi vaichengeta mikova yavaiva vaunganidza muruoko rwaManase naEfuremu nekuvakasara vose vaIsraeri nekuna Judha wose naBhenjamini, nevagari veJerusarema.
  11944. 2Ch 34:10 Zvino vakapa muruoko rwevaiti vebasa vaiva vamisirwa imba yaJehovha; ivo ndokuipa kuvaiti vebasa vaishanda muimba yaJehovha kuti vagadzire uye vasimbise imba.
  11945. 2Ch 34:11 Vakaipawo kuvavezi nevavaki kuti vatenge mabwe akavezwa nematanda ekubatanidza kuwadza mapuranga edzimba madzimambo aJudha dzaaiva aparadza.
  11946. 2Ch 34:12 Zvino varume vakashanda nekuvimbika pabasa; uye vatariri pamusoro pavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vevanakomana vaMerari, naZekariya naMeshurami, vevanakomana vevaKohati, kuita sevarairidzi; nevaRevhi, vose vainzwisisa pamidziyo yerwiyo.
  11947. 2Ch 34:13 Uye vaiva pamusoro pevatakuri vemitoro, nevatariri veupi neupi waiita basa reshumiro neshumiro; uye kuvaRevhi kwaiva nevanyori nevabati nevachengeti vemikova.
  11948. 2Ch 34:14 Zvino pakubudisa kwavo mari yakauiswa muimba yaJehovha, Hirikiya mupristi wakawana bhuku remurairo waJehovha, wakapiwa neruoko rwaMozisi.
  11949. 2Ch 34:15 Hirikiya ndokupindura ndokuti kuna Shafani munyori: Ndawana bhuku remurairo muimba yaJehovha. Hirikiya ndokupa bhuku kuna Shafani.
  11950. 2Ch 34:16 Zvino Shafani wakauya nebhuku kuna mambo, ndokudzosawo shoko kuna mambo, achiti: Zvose zvapiwa muruoko rwevaranda venyu vari kuita.
  11951. 2Ch 34:17 Uye vadurura mari yakawanikwa muimba yaJehovha, ndokuipa muruoko rweavo vakagadzwa nemuruoko rwevaiti vebasa.
  11952. 2Ch 34:18 Zvino Shafani munyori wakaudza mambo achiti: Hirikiya mupristi wandipa bhuku. Shafani ndokuverenga mariri pamberi pamambo.
  11953. 2Ch 34:19 Zvino zvakaitika pakunzwa kwamambo mashoko emurairo kuti wakabvarura nguvo dzake.
  11954. 2Ch 34:20 Mambo ndokuraira Hirikiya, naAhikami mwanakomana waShafani, naAbhidhoni mwanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, achiti:
  11955. 2Ch 34:21 Endai munobvunza pachinzvimbo changu kuna Jehovha uye pachinzvimbo chevakasara kwaIsraeri nekwaJudha maererano nemashoko ebhuku rawanikwa; nokuti ihuru hasha dzaMwari dzinodururwa pamusoro pedu, nekuda kwekuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha kuita zvinoenderana nezvose zvakanyorwa mubhuku iri.
  11956. 2Ch 34:22 Zvino Hirikiya nevaiva vamambo vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTokihati, mwanakomana waHazira, muchengeti wenguvo. Zvino iye waigara paJerusarema mumupanda wepiri. Zvino vakataura kwaari seizvi.
  11957. 2Ch 34:23 Iye ndokuti kwavari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Udzai munhu wakakutumai kwandiri:
  11958. 2Ch 34:24 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarirai, ndichauisa chakaipa pamusoro penzvimbo iyi, nepamusoro pevagari vepo, kutuka kose kwakanyorwa mubhuku iri ravakaverenga pamberi pamambo waJudha.
  11959. 2Ch 34:25 Nekuda kwekuti vakandisiya, ndokupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kune vamwe vamwari, kuti vanditsamwise nemabasa ose emaoko avo, naizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penzvimbo ino, uye hadzingadzimwi.
  11960. 2Ch 34:26 Asi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, muchareva seizvi kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Maererano nemashoko awakanzwa,
  11961. 2Ch 34:27 nokuti moyo wako munyoro, uye wazvininipisa pamberi paMwari pawanzwa mashoko ake anorwisa nzvimbo ino uye anorwisa vagari vayo, uye wazvininipisa pamberi pangu, ndokubvarura nguvo dzako, ndokuchema misodzi pamberi pangu, neniwo ndanzwa, anoreva Jehovha.
  11962. 2Ch 34:28 Tarira, ndichakuunganidza kumadzibaba ako, uye uchaunganidzwa kuguva rako nerugare, uye meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauisa panzvimbo ino, nepamusoro pevagari vayo. Naizvozvo vakadzosa shoko kuna mambo.
  11963. 2Ch 34:29 Mambo ndokutuma vanhu ndokuunganidza vakuru vose vaJudha neJerusarema.
  11964. 2Ch 34:30 Zvino mambo wakakwira muimba yaJehovha, nevarume vose vaJudha, nevagari veJerusarema, nevapristi, nevaRevhi, nevanhu vose, kubva kumukuru kusvikawo kumudiki; iye ndokuverenga munzeve dzavo mashoko ose ebhuku resungano raiva rawanikwa muimba yaJehovha.
  11965. 2Ch 34:31 Zvino mambo wakamira panzvimbo yake, ndokuita sungano pamberi paJehovha, kufamba achitevera Jehovha, nekuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvimiso zvake, nemoyo wake wose uye nemweya weupenyu wake wose, kuita mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri.
  11966. 2Ch 34:32 Zvino wakamisa vose vaivapo muJerusarema naBhenjamini. Vagari veJerusarema ndokuita zvichienderana nesungano yaMwari, Mwari wemadzibaba avo.
  11967. 2Ch 34:33 Zvino Josiya wakabvisa zvinyangadzo zvose kubva munyika dzose dzaiva dzevana vaIsraeri, ndokuita kuti wose wakawanikwa kwaIsraeri ashumire, ashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wemadzibaba avo.
  11968. 2Ch 35:1 Zvino Josiya wakaitira Jehovha pasika paJerusarema; zvino vakauraya pasika nezuva regumi nemana remwedzi wekutanga.
  11969. 2Ch 35:2 Zvino wakagadza vapristi pafaniro dzavo, ndokuvakurudzira pashumiro yeimba yaJehovha.
  11970. 2Ch 35:3 Ndokuti kuvaRevhi vaidzidzisa Israeri wose, vaiva vatsvene kuna Jehovha: Isai areka tsvene muimba Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsraeri yaakavaka; hausisiri mutoro pamafudzi enyu. Ikozvino shumirai Jehovha Mwari wenyu, nevanhu vake Israeri.
  11971. 2Ch 35:4 Zvino zvigadzirei, nedzimba dzemadzibaba enyu, zvichienderana nemapoka enyu, zvichienderana nechinyorwa chaDhavhidhi mambo waIsraeri, uye zvichienderana nechinyorwa chaSoromoni mwanakomana wake.
  11972. 2Ch 35:5 Zvino mirai panzvimbo tsvene zvichienderana nezvikamu zveimba yemadzibaba ehama dzenyu, vanakomana vevanhu, nechikamu cheimba yababa vevaRevhi.
  11973. 2Ch 35:6 Zvino urayai pasika, uye muzviite vatsvene, mugogadzirira hama dzenyu; kuti muite zvichienderana neshoko raJehovha neruoko rwaMozisi.
  11974. 2Ch 35:7 Zvino Josiya wakapa kuvana vevanhu boka remakwayana nembudzana, zvose zviri zvezvipo zvepasika, zvevose vaivapo kuuwandu hwezvuru makumi matatu, uye nzombe zvuru zvitatu; izvi zvakabva pafuma yamambo.
  11975. 2Ch 35:8 Machinda ake akapawo nechido kuvanhu, kuvapristi, nekuvaRevhi. Hirikiya, naZekariya, naJehieri, vatungamiriri veimba yaMwari vakapa vapristi zviri zvezvipo zvepasika, mbudzana zvuru zviviri nemazana matanhatu, nenzombe mazana matatu.
  11976. 2Ch 35:9 NaKonaniya, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vevaRevhi, vakapa kuvaRevhi zviri zvezvipo zvepasika, mbudzana zvuru zvishanu, nenzombe mazana mashanu.
  11977. 2Ch 35:10 Naizvozvo shumiro yakagadzirwa, vapristi ndokumira panzvimbo dzavo, nevaRevhi pamapoka avo, zvichienderana nemurairo wamambo.
  11978. 2Ch 35:11 Zvino vakauraya pasika, vapristi ndokusasa ropa kubva muruoko rwavo, uye vaRevhi vakavhiya.
  11979. 2Ch 35:12 Zvino vakabvisa zvipo zvinopiswa, kuti vape zvinoenderana nezvikamu zvedzimba dzemadzibaba evanakomana vevanhu, kuti vape kuna Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku raMozisi. Saizvozvowo nenzombe.
  11980. 2Ch 35:13 Zvino vakagocha pasika nemoto zvichienderana nechimiso; asi zvinhu zvitsvene vakabika mudzihari nemumakate nemumakango, ndokukurumidza kuisa pakati pevana vevanhu vose.
  11981. 2Ch 35:14 Zvino pashure vakazvigadzirira ivo nevapristi; nokuti vapristi vanakomana vaAroni vaiva pakupa zvipo zvinopiswa nemafuta kusvika pausiku, naizvozvo vaRevhi vakazvigadzirira ivo nevapristi vanakomana vaAroni.
  11982. 2Ch 35:15 Nevaimbi vanakomana vaAsafi vaiva panzvimbo yavo, zvichienderana nemurairo waDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; nevarindi vemasuwo vaiva pasuwo rimwe nerimwe; zvaiva zvisiri zvavo kubva pashumiro yavo, nokuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.
  11983. 2Ch 35:16 Naizvozvo shumiro yose yaJehovha yakagadzirirwa pazuva iro, kuita pasika, nekupa zvipo zvinopiswa pamusoro pearitari yaJehovha zvichienderana nemurairo wamambo Josiya.
  11984. 2Ch 35:17 Zvino vana vaIsraeri vaivapo vakaita pasika panguva iyo, nemutambo wezvingwa zvisina mbiriso mazuva manomwe.
  11985. 2Ch 35:18 Zvino hakuna kumboitwa pasika yakaita seiyi kwaIsraeri kubva pamazuva emuporofita Samueri; uye madzimambo ose aIsraeri haana kuita pasika yakadaro Josiya seyaakaita, nevapristi, nevaRevhi, naJudha wose, naIsraeri vaivapo, nevagari veJerusarema.
  11986. 2Ch 35:19 Mugore regumi nemasere rekutonga kwaJosiya, pasika iyi yakaitwa.
  11987. 2Ch 35:20 Shure kweizvi zvose, Josiya paakagadzira imba, Neko mambo weEgipita wakakwira kunorwa naKarikemishi paEfurati; Josiya ndokubuda kumurwisa.
  11988. 2Ch 35:21 Asi iye wakatuma nhume kwaari, achiti: Ndinei newe, mambo waJudha? Handina kukurwisa iwe nhasi, asi ndinorwisa imba yandine hondo nayo, nokuti Mwari wakati ndikurumidze; rega iwe kupikisa Mwari aneni kuti asakuparadza.
  11989. 2Ch 35:22 Asi Josiya haana kutendeusa chiso chake kubva kwaari, asi wakazvivanza chimiro kuti arwe naye, uye haana kuteerera kumashoko aNeko akabva pamuromo waMwari, asi wakauya kuzorwa mumupata weMegidho.
  11990. 2Ch 35:23 Zvino vapfuri vakapfura mambo Josiya; mambo ndokuti kuvaranda vake: Ndibvisei, nokuti ndarwadziwa zvikuru.
  11991. 2Ch 35:24 Zvino varanda vake vakamubvisa mungoro iyo, ndokumuisa mungoro yechipiri yaaiva nayo, ndokuuya naye kuJerusarema; iye ndokufa, ndokuvigwa kumakuva emadzibaba ake. Judha wose neJerusarema ndokuchema pamusoro paJosiya.
  11992. 2Ch 35:25 Zvino Jeremiya wakaitira Josiya mariro; nevarume vaimbi vose nevakadzi vaimbi vakataura zvaJosiya mumariro avo kusvika zuva rino, ndokuaita chimiso kwaIsraeri; zvino tarira, akanyorwa mumariro.
  11993. 2Ch 35:26 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJosiya, nekunaka kwake zvichienderana nezvakanyorwa pamurairo waJehovha,
  11994. 2Ch 35:27 nenyaya dzake dzekutanga nedzekupedzisira, tarira, dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri naJudha.
  11995. 2Ch 36:1 Zvino vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, ndokumugadza kuva mambo pachinzvimbo chababa vake paJerusarema.
  11996. 2Ch 36:2 Jehoahazi waiva nemakore makumi maviri nematatu paakava mambo, ndokutonga mwedzi mitatu paJerusarema.
  11997. 2Ch 36:3 Mambo weEgipita ndokumubvisa paJerusarema, ndokuripisa nyika matarenda zana esirivha netarenda regoridhe.
  11998. 2Ch 36:4 Mambo weEgipita ndokugadza Eriyakimi munin’ina wake kuva mambo pamusoro paJudha neJerusarema, ndokushandura zita rake kuva Jehoyakimu. Neko ndokutora munin’ina wake Joahazi, ndokumuisa kuEgipita.
  11999. 2Ch 36:5 Jehoyakimu waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema; ndokuita zvakaipa pameso paJehovha Mwari wake.
  12000. 2Ch 36:6 Kwakakwira kumurwisa Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ndokumusunga nemaketani ematare kumuisa kuBhabhironi.
  12001. 2Ch 36:7 Nebhukadhinezari wakauisa imwe yemidziyo yeimba yaJehovha kuBhabhironi ndokuiisa mutembere yake kuBhabhironi.
  12002. 2Ch 36:8 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoyakimu, nezvinyangadzo zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri naJudha. Jehoyakini mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.
  12003. 2Ch 36:9 Jehoyakini waiva nemakore masere paakava mambo, ndokutonga mwedzi mitatu nemazuva gumi paJerusarema; ndokuita zvakaipa pameso paJehovha.
  12004. 2Ch 36:10 Zvino pakudzoka kwegore, mambo Nebhukadhinezari wakatuma nhume ndokuuya naye kuBhabhironi, pamwe nemidziyo inoshuvika yeimba yaJehovha, ndokuita munin’ina wake Zedhekia mambo pamusoro paJudha neJerusarema.
  12005. 2Ch 36:11 Zedhekia waiva nemakore makumi maviri nerimwe paakava mambo; ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema.
  12006. 2Ch 36:12 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi paJeremiya muporofita, waitaura kubva mumuromo waJehovha.
  12007. 2Ch 36:13 Uye wakamukirawo mambo Nebhukadhinezari waiva amupikisa naMwari; asi wakaomesa mutsipa wake, ndokusimbisa moyo wake zvekuti haana kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri.
  12008. 2Ch 36:14 Uye vakuru vose vevapristi nevanhu vakadarika zvikuru sezvinyangadzo zvose zvevahedheni, ndokusvibisa imba yaJehovha yaaiva aita tsvene paJerusarema.
  12009. 2Ch 36:15 Zvino Jehovha Mwari wemadzibaba avo wakatuma mashoko kwavari neruoko rwenhume dzake, achimuka mangwanani achituma, nokuti waiva netsitsi nevanhu vake uye nenzvimbo yake yekugara.
  12010. 2Ch 36:16 Asi vaiseka nhume dzaMwari, ndokuzvidza mashoko ake, ndokusveveredza vaporofita vake, kusvika hasha dzaJehovha dzamukira vanhu vake, kusvika pasisina kurapika.
  12011. 2Ch 36:17 Naizvozvo wakakwidza pavari mambo wevaKaradhiya uyo wakauraya majaya avo nemunondo muimba yavo tsvene; uye haana kunzwira tsitsi jaya kana musikana, munhu mukuru kana mutana; wakapa vose muruoko rwake.
  12012. 2Ch 36:18 Nemidziyo yose yeimba yaMwari, mikuru nemidiki, nefuma yeimba yaJehovha, nefuma yamambo neyemachinda ake, zvose wakauisa kuBhabhironi.
  12013. 2Ch 36:19 Zvino vakapisa imba yaMwari, ndokuputsa rusvingo rweJerusarema, nemizinda yayo yose vakapisa nemoto, ndokuparadza midziyo yayo yose inoshuvika.
  12014. 2Ch 36:20 Zvino avo vakasara pamunondo wakavatapira kuBhabhironi, kwavakava varanda kwaari nevanakomana vake, kusvika kwava pakutonga kweushe hwePerisia;
  12015. 2Ch 36:21 kuzadzisa shoko raJehovha, mumuromo waJeremiya, kusvika nyika yafarira masabata ayo; mazuva ose ekuparadzwa vakachengeta sabata, kusvika pakuzara kwemakore makumi manomwe.
  12016. 2Ch 36:22 Zvino mugore rekutanga raKoreshi mambo wePerisiya, kuti shoko raJehovha rarehwa nemuromo waJeremiya ripedzisike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisiya, wakapfuudza inzwi nepaushe hwake hwose, uyewo mukunyora, achiti:
  12017. 2Ch 36:23 Ndizvo zvinoreva Koreshi mambo wePerisiya: Jehovha Mwari wekumatenga wakandipa ushe hwose hwenyika, uye iye wakandiraira kumuvakira imba paJerusarema riri paJudha. Ndiani ari pakati penyu wevanhu vake vose? Jehovha Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwire.
  12018. Ezr 1:1 Zvakaitika mugore rekutanga raKoreshi mambo wePerisiya, kuti shoko raJehovha [rakarehwa] nemuromo waJeremiya ripedzisike, Jehovha wakamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisiya kuti apfuudze kudanidzira paushe hwake hwose uyewo nechinyorwa achiti:
  12019. Ezr 1:2 Ndizvo zvinoreva Koreshi mambo wePerisiya: Jehovha Mwari wekumatenga wakandipa ushe hwose hwenyika, uye iye wakandiraira kumuvakira imba paJerusarema riri paJudha.
  12020. Ezr 1:3 Ndiani ari pakati penyu wevanhu vake vose, Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwire kuJerusarema riri paJudha, agovaka imba yaJehovha Mwari waIsraeri (ndiMwari) ari paJerusarema.
  12021. Ezr 1:4 Ani nani wakasara panzvimbo ipi neipi paanogara semutorwa, varume venzvimbo yekwake ngavamubatsire nesirivha, uye negoridhe, uye nenhumbi, uye nemombe, pamwe nezvipo zvekuzvidira, zveimba yaMwari iri paJerusarema.
  12022. Ezr 1:5 Zvino kwakasimuka misoro yemadzibaba ekwaJudha naBhenjamini, nevapristi, nevaRevhi, neumwe neumwe Mwari waaiva amutsa mweya wake, kuti vakwire kunovaka imba yaJehovha iri paJerusarema.
  12023. Ezr 1:6 Uye vose vaiva vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, negoridhe, nenhumbi, uye nemombe, uye nezvinhu zvinokosha, kusingaverengwi zvose zvakapiwa nekuzvidira.
  12024. Ezr 1:7 Mambo Koreshi ndokubudisa midziyo yeimba yaJehovha, Nebhukadhinezari yaaiva abudisa paJerusarema ndokuiisa muimba yavamwari vake.
  12025. Ezr 1:8 Izvozvo Koreshi mambo wePerisiya ndokudzibudisa neruoko rwaMitiredhati mubati wehomwe, ndokudziverengera kuna Sheshibhazari muchinda waJudha.
  12026. Ezr 1:9 Zvino uhwu uwandu hwavo: Ndiro makumi matatu dzegoridhe, ndiro churu dzesirivha, mapanga makumi maviri nemapfumbamwe,
  12027. Ezr 1:10 mbiya makumi matatu dzegoridhe, dzimwe mbiya dzesirivha mazana mana negumi, imwe midziyo churu.
  12028. Ezr 1:11 Midziyo yose yegoridhe neyesirivha yaiva zvuru zvishanu nemazana mana. Zvose Sheshibhazari wakazvikwidza pamwe neavo vakakwidzwa pakutapwa vachibva kuBhabhironi kuenda kuJerusarema.
  12029. Ezr 2:1 Zvino ava vana vedunhu vakakwira kubuda muutapwa, pane vaya vakatapwa, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi vaakatapira kuBhabhironi, ndokudzoka kuJerusarema naJudha, umwe neumwe kuguta rake;
  12030. Ezr 2:2 avo vakauya naZerubhabheri, Jeshuwa, Nehemiya, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi, Bhaana. Uwandu hwevarume verudzi rwaIsraeri:
  12031. Ezr 2:3 Vana vaParoshi, zvuru zviviri nezana nemakumi manomwe nevaviri.
  12032. Ezr 2:4 Vana vaShefatiya, mazana matatu nemakumi manomwe nevaviri.
  12033. Ezr 2:5 Vana vaAra, mazana manomwe nemakumi manomwe nevashanu.
  12034. Ezr 2:6 Vana vaPahati-Moabhi, vevana vaJeshuwa-Joabhi, zvuru zviviri nemazana masere negumi nevaviri.
  12035. Ezr 2:7 Vana vaErami, churu nemazana maviri nemakumi mashanu nevana.
  12036. Ezr 2:8 Vana vaZatu, mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevashanu.
  12037. Ezr 2:9 Vana vaZakai, mazana manomwe nemakumi matanhatu.
  12038. Ezr 2:10 Vana vaBhani, mazana matanhatu nemakumi mana nevaviri.
  12039. Ezr 2:11 Vana vaBhebhayi, mazana matanhatu nemakumi maviri nevatatu.
  12040. Ezr 2:12 Vana vaAzagadhi, churu nemazana maviri nemakumi maviri nevaviri.
  12041. Ezr 2:13 Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevatanhatu.
  12042. Ezr 2:14 Vana vaBhigivhai, zvuru zviviri nemakumi mashanu nevatanhatu.
  12043. Ezr 2:15 Vana vaAdhini, mazana mana nemakumi mashanu nevana.
  12044. Ezr 2:16 Vana vaAteri waHezekia, makumi mapfumbamwe nevasere.
  12045. Ezr 2:17 Vana vaBhezai, mazana matatu nemakumi maviri nevatatu.
  12046. Ezr 2:18 Vana vaJora, zana negumi nevaviri.
  12047. Ezr 2:19 Vana vaHashumi, mazana maviri nemakumi maviri nevatatu.
  12048. Ezr 2:20 Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe nevashanu.
  12049. Ezr 2:21 Vana veBheterehemu, zana nemakumi maviri nevatatu.
  12050. Ezr 2:22 Varume veNetofa, makumi mashanu nevatanhatu.
  12051. Ezr 2:23 Varume veAnatoti, zana nemakumi maviri nevasere.
  12052. Ezr 2:24 Vana veAzimavheti, makumi mana nevaviri.
  12053. Ezr 2:25 Vana veKiriati-Arimi, Kefira, neBheeroti, mazana manomwe nemakumi mana nevatatu.
  12054. Ezr 2:26 Vana veRama neGebha, mazana matanhatu nemakumi maviri neumwe.
  12055. Ezr 2:27 Varume veMikimashi, zana nemakumi maviri nevaviri.
  12056. Ezr 2:28 Varume veBheteri neAi, mazana maviri nemakumi maviri nevatatu.
  12057. Ezr 2:29 Vana veNebho, makumi mashanu nevaviri.
  12058. Ezr 2:30 Vana veMagibhishi, zana nemakumi mashanu nevatanhatu.
  12059. Ezr 2:31 Vana veumwe Erami, churu nemazana maviri nemakumi mashanu nevana.
  12060. Ezr 2:32 Vana vaHarimi, mazana matatu nemakumi maviri.
  12061. Ezr 2:33 Vana veRodhi, Hadhidhi, neOno, mazana manomwe nemakumi maviri nevashanu.
  12062. Ezr 2:34 Vana veJeriko, mazana matatu nemakumi mana nevashanu.
  12063. Ezr 2:35 Vana veSenaha, zvuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi matatu.
  12064. Ezr 2:36 Vapristi: Vana vaJedhaya, veimba yaJeshuwa, mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevatatu.
  12065. Ezr 2:37 Vana veImeri, churu nemakumi mashanu nevaviri.
  12066. Ezr 2:38 Vana vaPashuri, churu nemazana maviri nemakumi mana nevanomwe.
  12067. Ezr 2:39 Vana vaHarimi, churu negumi nevanomwe.
  12068. Ezr 2:40 VaRevhi: Vana vaJeshuwa naKadhimieri, vevana vaHodhavhiya, makumi manomwe nevana.
  12069. Ezr 2:41 Vaimbi: Vana vaAsafi, zana nemakumi maviri nevasere.
  12070. Ezr 2:42 Vana vevarindi vemikova: Vana vaSharumi, vana vaAteri, vana vaTarimoni, vana vaAkubhi, vana vaHatita, vana vaShobhai, vose zana nemakumi matatu nevapfumbamwe.
  12071. Ezr 2:43 VaNetinimi: Vana vaZiha, vana vaHasufa, vana vaTabhaoti,
  12072. Ezr 2:44 vana vaKerosi, vana vaSiaha, vana vaPadhoni,
  12073. Ezr 2:45 vana vaRebhana, vana vaHagabha, vana vaAkubhi,
  12074. Ezr 2:46 vana vaHagabhi, vana vaShamirai, vana vaHanani,
  12075. Ezr 2:47 vana vaGidheri, vana vaGahari, vana vaReaya,
  12076. Ezr 2:48 vana vaRezini, vana vaNekodha, vana vaGazami,
  12077. Ezr 2:49 vana vaUza, vana vaPasea, vana vaBhesayi,
  12078. Ezr 2:50 vana vaAsina, vana vaMeunimi, vana vaNefusimi,
  12079. Ezr 2:51 vana vaBhakibhuki, vana vaHakufa, vana vaHarihuri,
  12080. Ezr 2:52 vana vaBhaziruti, vana vaMehidha, vana vaHarisha,
  12081. Ezr 2:53 vana vaBharikosi, vana vaSisera, vana vaTama,
  12082. Ezr 2:54 vana vaNeziya, vana vaHatifa.
  12083. Ezr 2:55 Vana vevaranda vaSoromoni: Vana vaSotai, vana vaHasofereti, vana vaPerudha,
  12084. Ezr 2:56 vana vaJaara, vana vaDharikoni, vana vaGidheri,
  12085. Ezr 2:57 vana vaShefatia, vana vaHatiri, vana vaPokereti-Hazebhaimi, vana vaAmi.
  12086. Ezr 2:58 VaNetinimi vose nevana vevaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri.
  12087. Ezr 2:59 Zvino ava ndeavo vakakwira kubva paTeri-Mera, Teri-Harisha, Kerubhi, Adhani, Imeri; asi vaiva vasingagoni kududza imba yemadzibaba avo, nembeu yavo, kana vaibva kwaIsraeri.
  12088. Ezr 2:60 Vana vaDheraya, vana vaTobhiya, vana vaNekodha, mazana matanhatu nemakumi mashanu nevaviri.
  12089. Ezr 2:61 Nepavana vevapristi: Vana vaHabhaya, vana vaHakozi, vana vaBharizirai, wakatora mukadzi kuvakunda vaBharizirai muGiriyadhi, ndokutumidzwa nezita ravo.
  12090. Ezr 2:62 Ava vakatsvaka kunyorwa kwavo pane avo vakaverengwa nemarudzi, asi havana kuwanikwa; ndokubviswa paupristi sevakasviba.
  12091. Ezr 2:63 Mutongi ndokureva kwavari kuti varege kudya pazvinhu zvitsvene-tsvene, kusvika kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi.
  12092. Ezr 2:64 Ungano yose pamwe yaiva zvuru makumi mana nezviviri nemazana matatu nemakumi matanhatu,
  12093. Ezr 2:65 vasingaverengi varanda vavo nevarandakadzi vavo; avo vaiva zvuru zvinomwe nemazana matatu nemakumi matatu nevanomwe; uye vaiva nevaimbi varume nevaimbi vechikadzi mazana maviri.
  12094. Ezr 2:66 Mabhiza avo aiva mazana manomwe nemakumi matatu nematanhatu; mahesera avo, mazana maviri nemakumi mana nemashanu;
  12095. Ezr 2:67 makamera avo, mazana mana nemakumi matatu nemashanu; mbongoro, zvuru zvitanhatu nemazana manomwe nemakumi maviri.
  12096. Ezr 2:68 Nevamwe vemisoro yemadzibaba pakupinda kwavo muimba yaJehovha iri muJerusarema vakapa kuimba yaMwari nechido kuimisa panzvimbo yayo.
  12097. Ezr 2:69 Vakapa zvichienderana nekugona kwavo kuhomwe yebasa, ngoda dzegoridhe zvuru makumi matanhatu neimwe, nepondo dzesirivha zvuru zvishanu, nenguvo refu dzevapristi zana.
  12098. Ezr 2:70 Zvino vapristi nevaRevhi nevamwe vevanhu nevaimbi nevarindi vemikova nevaNetinimi vakagara mumaguta avo, naIsraeri wose mumaguta avo.
  12099. Ezr 3:1 Mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vana vaIsraeri vava mumaguta, vanhu vakaungana semunhu umwe paJerusarema.
  12100. Ezr 3:2 Jeshuwa mwanakomana waJozadhaki ndokusimuka, nehama dzake vapristi, naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, ndokuvaka aritari yaMwari waIsraeri kuti vape pairi zvipo zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurairo waMozisi munhu waMwari.
  12101. Ezr 3:3 Zvino vakagadzika aritari panheyo dzayo, nokuti kutya kwaiva pamusoro pavo nekuda kwevanhu venyika idzo; zvino vakapa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha pamusoro payo, zvipo zvinopiswa zvemangwanani nezvemadekwani.
  12102. Ezr 3:4 Vakaitawo mutambo wematumba sezvakanyorwa; uye vakapa zvipo zvinopiswa zuva nezuva neuwandu, setsika, nyaya yezuva nezuva rayo.
  12103. Ezr 3:5 Uye pashure chipo chinopiswa rinhi narinhi, zvose nezvekugara kwemwedzi nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yaiva yaitwa mitsvene, uye zveumwe neumwe wakapa nekuzvidira chipo chekuzvidira kuna Jehovha.
  12104. Ezr 3:6 Kubva pazuva rekutanga remwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha. Asi tembere yaJehovha yaiva isina kuteyiwa.
  12105. Ezr 3:7 Vakapawo mari kuvavezi vemabwe nekuvavezi vematanda, uye zvekudya nezvekunwa nemafuta vakapa kuvaSidhoni nekuvaTire, kuti vauye nemiti yemisidhari kubva kuRebhanoni kuuya pagungwa reJopa, zvichienderana netendero yaKoreshi mambo wePerisiya maererano navo.
  12106. Ezr 3:8 Zvino mugore rechipiri rekusvika kwavo paimba yaMwari paJerusarema, mumwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshuwa mwanakomana waJozadhaki, nevakasara vehama dzavo vapristi nevaRevhi, nevose vaiva vauya kuJerusarema vachibva muutapwa vakatanga, ndokumisa vaRevhi kubva ane makore makumi maviri zvichikwira kutungamirira basa reimba yaJehovha.
  12107. Ezr 3:9 Zvino kwakamira Jeshuwa, vanakomana vake, nehama dzake, Kadhimieri nevanakomana vake, vanakomana vaJudha, semunhu umwe, kutungamirira vaiti vebasa muimba yaMwari: Vanakomana vaHenadhadhi, vanakomana vavo, nehama dzavo vaRevhi.
  12108. Ezr 3:10 Vavaki vakati vateya nheyo dzetembere yaJehovha, vakamisa vapristi vakapfeka, vane hwamanda, nevaRevhi vanakomana vaAsafi vane makandira, kuti varumbidze Jehovha, zvichitevera maoko aDhavhidhi mambo waIsraeri.
  12109. Ezr 3:11 Zvino vakaimba pamwe nemapoka pakurumbidza nekupa kuvonga kuna Jehovha vachiti: Nokuti wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nekusingaperi kuna Israeri. Vanhu vose ndokudanidzira nekudanidzira kukuru pakurumbidza Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzaiva dzateyiwa.
  12110. Ezr 3:12 Asi vazhinji vevapristi nevaRevhi, nevakuru vemadzibaba, nevatana vaiva vaona imba yekutanga, nheyo dzeimba iyi padzaiva dzateyiwa pamberi pemeso avo, vakachema misodzi neinzwi guru; asi vazhinji vakasimudza inzwi mukudanidzira nemufaro;
  12111. Ezr 3:13 zvekuti vanhu vakatadza kuziva inzwi rekudanidzira kubva painzwi rekuchema kwevanhu; nokuti vanhu vakadanidzira nekudanidzira kwemufaro mukuru; inzwi ndokunzwikwa kusvika kure-kure.
  12112. Ezr 4:1 Vavengi vaJudha naBhenjamini pavakanzwa kuti vana veutapwa vavakira Jehovha Mwari waIsraeri tembere,
  12113. Ezr 4:2 ndokuswedera kuna Zerubhabheri, nekuvakuru vemadzibaba, ndokuti kwavari: Ngativake nemwi, nokuti tinotsvaka Mwari wenyu semwi; uye tinomubaira kubva pamazuva aEsari-Hadhoni mambo weAsiriya wakatikwidza pano.
  12114. Ezr 4:3 Asi Zerubhabheri naJeshuwa nevamwe vevakuru vemadzibaba aIsraeri vakati kwavari: Hazvisi zvenyu nesu kuvakira Mwari wedu imba; asi tisu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsraeri, mambo Koreshi mambo wePerisiya sezvaakatiraira.
  12115. Ezr 4:4 Zvino zvakaitika vanhu venyika iyo vashaisa simba maoko evanhu vaJudha, ndokuvatambudza pakuvaka.
  12116. Ezr 4:5 Zvino vakavahaira varairiri, kunyonganisa chinangwa chavo mazuva ose aKoreshi mambo wePerisiya, uye kusvika pakutonga kwaDhariyasi mambo wePerisiya.
  12117. Ezr 4:6 Nepakutonga kwaAhasuwerusi, pakutanga kwekutonga kwake, vakanyora mhosva pamusoro pevagari vekwaJudha neJerusarema.
  12118. Ezr 4:7 Zvino mumazuva aAritakiserikisi, Bhishirami, Mitiredhati, Tabheeri, nevamwe vevafambidzani vake vakanyorera kuna Aritakiserikisi mambo wePerisiya; uye chinyorwa chetsamba chaiva chakanyorwa nechiAramiya, nekududzirwa nechiAramiya.
  12119. Ezr 4:8 Rehumi murairiri naShimishai munyori vakanyora tsamba maererano neJerusarema kuna Aritakiserikisi mambo nenzira iyi:
  12120. Ezr 4:9 Ipapo Rehumi murairiri, naShimishai munyori, nevamwe vevafambidzani vake, VaDhinai, nevaAfarisatiki, VaTariperi, VaAfarisi, VaArikevhi, VaBhabhironi, VaShushaniki, VaDhehai, VaErami,
  12121. Ezr 4:10 nedzimwe ndudzi Asinapari mukuru wakakurumbira dzaakauya nadzo ndokudzigarisa mumaguta eSamariya, nedzimwe mhiri kwerwizi, nepanguva yakadai.
  12122. Ezr 4:11 Ichi chikoponorwa chetsamba yavakatuma kwaari, kuna Aritakiserikisi mambo: Varanda venyu, varume vari mhiri kwerwizi, nepanguva yakadai.
  12123. Ezr 4:12 Ngazvizikanwe kuna mambo, kuti vaJudha vakakwira kubva kwamuri kuuya kwatiri vasvika paJerusarema, vanovaka guta rekupanduka uye rakaipa, uye vapedza masvingo, nekugadzirisa nheyo.
  12124. Ezr 4:13 Ikozvino ngazvizikanwe kuna mambo, kuti kana guta iri rikavakwa, uye masvingo akapera, havangapi mutero, mari yefaniro, nemari yenzira, zvino uchatadzira homwe yemadzimambo.
  12125. Ezr 4:14 Ikozvino sezvatinodya munyu pamunyu wemuzinda uye zvatisingafaniri kuona kuzvidzwa kwamambo, naizvozvo tatuma tikazivisa mambo;
  12126. Ezr 4:15 kuti vanzvere pabhuku rezvinyorwa remadzibaba enyu; uye muchawana mubhuku rezvinyorwa, mugoziva kuti guta iri iguta rekupanduka, raitadzira madzimambo nenyika, uye kuti mukati maro vaiti vekumukira kubva mazuva ekare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
  12127. Ezr 4:16 Tinozivisa mambo kuti kana guta iri richivakwa, uye masvingo aro achipera, naizvozvi hamungavi nemugove mhiri kwerwizi.
  12128. Ezr 4:17 Mambo wakatuma mhinduro kuna Rehumi murairiri, naShimishai munyori, nevamwe vevafambidzani vake vanogara muSamariya nevamwe mhiri kwerwizi, achiti: Rugare, uye panguva yakadai.
  12129. Ezr 4:18 Tsamba yamakatumira kwatiri yaverengwa zvakajeka pamberi pangu.
  12130. Ezr 4:19 Zvino murairo waiswa neni, zvino vakatsvaka ndokuwana kuti kubva pamazuva ekare guta iri raizvisimudzira kurwisa madzimambo, uye kupandukira nekumukira kwakaitwa mukati maro.
  12131. Ezr 4:20 Uye madzimambo ane simba akavapo paJerusarema, awo akatonga pamusoro penyika dzose mhiri kwerwizi; nemutero, mari yefaniro, nemari yenzira zvikapiwa ivo.
  12132. Ezr 4:21 Ikozvino isai murairo kumisa varume ava, kuti guta iri risavakiwa kusvika paiswa murairo neni.
  12133. Ezr 4:22 Chenjerai ikozvino kuti musashaya hanya pakuita izvi. Sei chakaipa chichikura kutadzira madzimambo?
  12134. Ezr 4:23 Zvino chikoponorwa chetsamba yamambo Aritakiserikisi chakaverengwa mberi kwaRehumi naShimishai munyori nevafambidzani vake vakaenda nekukurumidza kuJerusarema kuvaJudha, ndokuvamisa nechikuriri nechisimba.
  12135. Ezr 4:24 Ipapo basa reimba yaMwari iri paJerusarema rakamira; ndokumira kusvika gore rechipiri rekutonga kwaDhariyasi mambo wePerisiya.
  12136. Ezr 5:1 Zvino vaporofita, Hagai muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho, vakaporofita kuvaJudha vaiva paJudha nepaJerusarema, muzita raMwari waIsraeri pamusoro pavo.
  12137. Ezr 5:2 Ipapo kwakasimuka Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshuwa mwanakomana waJozadhaki, ndokutanga kuvaka imba yaMwari iri paJerusarema, uye pamwe navo vaporofita vaMwari vaivabatsira.
  12138. Ezr 5:3 Panguva iyoyo kwakauya kwavari Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, naShetari-Bhozenayi, nevafambidzani vake, ndokureva seizvi kwavari: Ndiani wakakurairai kuvaka imba iyi nekupedzisa rusvingo urwu?
  12139. Ezr 5:4 Ipapo vakavaudza seizvi: Ndeapi mazita evarume vakavaka chivakwa ichi.
  12140. Ezr 5:5 Asi ziso raMwari wavo raiva pamusoro pevakuru vevaJudha, kuti havana kuvamisa, kusvika nyaya yasvika kuna Dhariyasi. Ipapo vakadzosera tsamba maererano nechinhu ichi.
  12141. Ezr 5:6 Chikoponorwa chetsamba Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, naShetari-Bhozenayi, nevafambidzani vake, VaAfarishaki vaiva mhiri kwerwizi, yavakatumira kuna Dhariyasi mambo.
  12142. Ezr 5:7 Vakatumira tsamba kwaari mairi maiva makanyorwa seizvi:
  12143. Ezr 5:8 Ngazvizikanwe kuna mambo kuti takaenda kudunhu rekwaJudha, kuimba yaMwari mukuru, uye yakavakwa nemabwe makuru, nematanda akaiswa pazvidziro, uye basa iri rinoitwa nekukurumidza uye rinobudirira muruoko rwavo.
  12144. Ezr 5:9 Ipapo takabvunza vakuru avo, tikataura kwavari seizvi: Ndiani wakaisa murairo kwamuri wekuvaka imba iyi nekupedzisa rusvingo urwu?
  12145. Ezr 5:10 Uye takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, kuti tinyore mazita evarume vari misoro yavo.
  12146. Ezr 5:11 Zvino saizvozvi vakadzosa shoko kwatiri vachiti: Isu tiri varanda vaMwari wekumatenga nepasi, tinovaka imba yaiva yakavakwa makore mazhinji awa akapfuura, iyo mambo mukuru waIsraeri yaakavaka akapedza.
  12147. Ezr 5:12 Asi shure kweizvozvo madzibaba edu akatsamwisa Mwari wekumatenga, iye akavapa muruoko rwaNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhiya; uyo wakaparadza imba ino, ndokutapira vanhu kuBhabhironi.
  12148. Ezr 5:13 Asi mugore rekutanga raKoreshi mambo weBhabhironi, mambo Koreshi wakamisa murairo wekuvaka imba iyi yaMwari.
  12149. Ezr 5:14 Nemidziyowo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari, Nebhukadhinezari yaakatora kubva mutembere yaiva paJerusarema, ndokuuya nayo kutembere yeBhabhironi, iyo mambo Koreshi wakabudisa mutembere yeBhabhironi, ndokupiwa wainzi Sheshibhazari, waakaita mutongi.
  12150. Ezr 5:15 Zvino wakati kwaari: Tora midziyo iyi, enda ugonoiburusira mutembere iri paJerusarema, uye imba yaMwari ngaivakwe panzvimbo yayo.
  12151. Ezr 5:16 Ipapo uyu Sheshibhazari wakauya, akateya nheyo dzeimba yaMwari iri paJerusarema; zvino kubva panguva iyo kusvika ikozvino yaivakwa, asi haina kupera.
  12152. Ezr 5:17 Naizvozvo zvino, kana zvakanaka kuna mambo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iripo paBhabhironi, kana zviri zvakadaro, kuti mutemo wakaitwa namambo Koreshi kuvaka imba ino yaMwari paJerusarema, mambo agotuma kwatiri kuda kwake pamusoro pechinhu ichi.
  12153. Ezr 6:1 Ipapo Dhariyasi mambo wakaita mutemo; zvino vakanzvera muimba yemabhuku, paiva pakaiswa zvinokosha muBhabhironi.
  12154. Ezr 6:2 Zvino kwakawanikwa paAkimeta, pamuzinda waiva mudunhu reMedhi, rugwaro rwakapetwa, uye marwuri maiva nechirangaridzo chakanyorwa seizvi:
  12155. Ezr 6:3 Mugore rekutanga raKoreshi mambo, Koreshi mambo wakaita murairo: Imba yaMwari paJerusarema, imba ngaivakwe, nzvimbo pavanopa zvibairo, uye nheyo dzayo ngadziteiwe; urefu hwayo makubhiti makumi matanhatu, upamhi hwayo makubhiti makumi matanhatu;
  12156. Ezr 6:4 ive nemitsara mitatu yemabwe makuru, nemusara wematanda matsva; uye muripo wezvishandiswa ngaupiwe kubva muimba yamambo.
  12157. Ezr 6:5 Nemidziyowo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari, Nebhukadhinezari yaakabudisa patembere iri paJerusarema ndokuiuisa kuBhabhironi, ngaidzoswe, iuiswezve patembere iri paJerusarema, panzvimbo yayo, mugoisa muimba yaMwari.
  12158. Ezr 6:6 Zvino, Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, Shetari-Bhozinai, nevafambidzani venyu VaAfarisaki, vari mhiri kwerwizi, ivai kure naikoko.
  12159. Ezr 6:7 Regai basa reimba iyi yaMwari; mutongi wevaJudha nevakuru vevaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.
  12160. Ezr 6:8 Uye mutemo unoitwa neni zvamuchaita kuvakuru vevaJudha ava pakuvakwa kweimba iyi yaMwari, kuti pafuma yamambo, pamutero mhiri kwerwizi, muripo wezvinoshandiswa uchapiwa kuvarume ava nekukurumidza, kuti vasamira.
  12161. Ezr 6:9 Uye zvinodikanwa, zviri zviviri nzombe diki, nemakondohwe, nemakwayana, zvezvipo zvinopiswa zvaMwari wekumatenga, gorosi, munyu, waini, nemafuta, zvichienderana nekureva kwevapristi vari paJerusarema, ngazvipiwe kwavari zuva nezuva pasina kushaya hanya;
  12162. Ezr 6:10 kuti vape zvibairo zvehwema hunotapira kuna Mwari wekumatenga, uye vachinyengeterera upenyu hwamambo nehwevanakomana vake.
  12163. Ezr 6:11 Zvino mutemo wamiswa neni, kuti ani nani anoshandura shoko iri, danda ngaribviswe paimba yake, uye asimudzwa, ngaaroverwe pamusoro paro; neimba yake ngaiitwe dutu rendove nekuda kweizvozvi.
  12164. Ezr 6:12 Zvino Mwari wakaita kuti zita rake rigarepo ngaaparadze mambo upi neupi kana vanhu vachaisa ruoko rwavo kushandura nekuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusarema. Ini Dhariyasi ndakamisa mutemo; ngazviitwe nekukurumidza.
  12165. Ezr 6:13 Ipapo Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, Shetari-Bhozenayi, nevafambidzani vake, vakaita saizvozvo nekukurumidza zvichienderana neizvo Dhariyasi mambo zvaaiva atuma.
  12166. Ezr 6:14 Zvino vakuru vevaJudha vakavaka ndokubudirira kubudikidza nechiporofita chaHagai muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho. Zvino vakavaka ndokupedza zvichienderana nemutemo waMwari waIsraeri, uye zvichienderana nemutemo waKoreshi, naDhariyasi, naAritakiserikisi mambo wePerisiya.
  12167. Ezr 6:15 Zvino imba iyi yakapedzwa nezuva retatu remwedzi weAdhari raiva riri gore retanhatu rekutonga kwaDhariyasi mambo.
  12168. Ezr 6:16 Zvino vana vaIsraeri, vapristi, nevaRevhi, nevamwe vevana veutapwa vakaita kutsaurwa kweimba iyi yaMwari nemufaro.
  12169. Ezr 6:17 Zvino vakapa pakutsaurwa kweimba iyi yaMwari nzombe zana, makondohwe mazana maviri, makwayana mazana mana; uye nhongo dzembudzi gumi nembiri dziri chipo chezvivi chaIsraeri wose zvichienderana neuwandu hwemarudzi aIsraeri.
  12170. Ezr 6:18 Zvino vakamisa vapristi pazvikamu zvavo, nevaRevhi pamapoka avo, pashumiro yaMwari iri paJerusarema, sezvazvakanyorwa pabhuku raMozisi.
  12171. Ezr 6:19 Zvino vana veutapwa vakaita pasika neregumi nemana remwedzi wekutanga.
  12172. Ezr 6:20 Nokuti vapristi nevaRevhi vaiva vazvinatsa pamwe, vose vavo vaiva vakachena; zvino vakabaira pasika vana vose veutapwa nehama dzavo vapristi, naivo vamene.
  12173. Ezr 6:21 Saizvozvo vana vaIsraeri, avo vakadzoka pautapwa nevose vakazvitsaurira kwavari kubva pakusachena kwemarudzi epanyika, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsraeri, vakadya.
  12174. Ezr 6:22 Zvino vakaita mutambo wechingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe nemufaro, nokuti Jehovha waiva avafadza, ndokutendeusira kwavari moyo wamambo weAsiriya, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari, Mwari waIsraeri.
  12175. Ezr 7:1 Zvino shure kwezvinhu izvi, pakutonga kwaAritakiserikisi mambo wePerisiya: Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzariya, mwanakomana waHirikiya,
  12176. Ezr 7:2 mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,
  12177. Ezr 7:3 mwanakomana waAmariya, mwanakomana waAzariya, mwanakomana waMerayoti,
  12178. Ezr 7:4 mwanakomana waZerahiya, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,
  12179. Ezr 7:5 mwanakomana waAbhishuwa, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni, mupristi mukuru.
  12180. Ezr 7:6 Uyu Ezira wakakwira kubva kuBhabhironi, uye waiva munyori nyanzvi pamurairo waMozisi, uyo Jehovha Mwari waIsraeri waakapa; mambo ndokumupa chikumbiro chake chose, zvichienderana neruoko rwaJehovha Mwari wake pamusoro pake.
  12181. Ezr 7:7 Zvino kwakakwira vamwe vevana vaIsraeri, nevevapristi, nevaRevhi, nevaimbi, nevachengeti vemikova, nevaNetinimi, kuenda kuJerusarema mugore rechinomwe ramambo Aritakiserikisi.
  12182. Ezr 7:8 Zvino wakasvika paJerusarema mumwedzi weshanu riri gore rechinomwe ramambo.
  12183. Ezr 7:9 Nokuti pane rekutanga remwedzi wekutanga wakatanga kukwira achibva kuBhabhironi, uye nerekutanga remwedzi weshanu wakasvika paJerusarema, zvichienderana neruoko rwakanaka rwaMwari wake pamusoro pake.
  12184. Ezr 7:10 Nokuti Ezira waiva agadzirira moyo yake kutsvaka murairo waJehovha, nekuita, nekudzidzisa kwaIsraeri zvimiso nemitongo.
  12185. Ezr 7:11 Zvino ichi ndicho chikoponorwa chetsamba mambo Aritakiserikisi yaakapa kuna Ezira mupristi, munyori, munyori wemashoko emirairo yaJehovha newezvimiso zvake kuna Israeri:
  12186. Ezr 7:12 Aritakiserikisi mambo wemadzimambo, kuna Ezira mupristi, munyori wemurairo waMwari wekumatenga, rugare rwakakwana, uye panguva yakadai.
  12187. Ezr 7:13 Mutemo wamiswa neni, kuti ani nani anoda paushe hwangu parudzi rwaIsraeri, nevapristi varwo nevaRevhi kuenda kuJerusarema, ngaaende newe.
  12188. Ezr 7:14 Nokuti sezvakwakatumwa namambo nevarairiri vake vanomwe kunobvunzisisa nezvaJudha uye nezveJerusarema, zvichienderana nemurairo waMwari wako uri muruoko rwako,
  12189. Ezr 7:15 nekutakura sirivha negoridhe, mambo nevarairiri vake zvavakapa vachizvidira kuna Mwari waIsraeri, wenzvimbo yake yekugara iri paJerusarema,
  12190. Ezr 7:16 nesirivha yose negoridhe raungawana padunhu rose reBhabhironi, nechipo chekuzvidira chevanhu, nechevapristi vanopa nechido kuimba yaMwari wavo iri paJerusarema;
  12191. Ezr 7:17 kuti utenge nekukurumidza nemari iyi nzombe diki, makondohwe, makwayana, pamwe nezvipo zvazvo zvechidyiwa nezvipo zvazvo zvechinwiwa, ndokuzvipa pamusoro pearitari yeimba yaMwari wenyu iri paJerusarema.
  12192. Ezr 7:18 Zvino chipi nechipi chakakunakira iwe nehama dzako kuita nesirivha negoridhe rakasara, zviitei zvichienderana nechido chaMwari wenyu.
  12193. Ezr 7:19 Nemidziyo inopiwa kwauri yebasa reimba yaMwari wako, zvipe zvakakwana pamberi paMwari weJerusarema.
  12194. Ezr 7:20 Nezvimwe zvinoshaikwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, ripa kubva paimba yefuma yamambo.
  12195. Ezr 7:21 Zvino ini mambo Aritakiserikisi, mutemo unomiswa neni kuvabati vose vehomwe vari mhiri kwerwizi, kuti zvose Ezira mupristi, munyori wemurairo waMwari wekumatenga zvaanokumbira kwamuri zviitwe nekukurumidza,
  12196. Ezr 7:22 kusvika pamatarenda zana esirivha, uye pazviyero zana zvezviyo, nepamabhati zana ewaini, nepamabhati zana emafuta, nemunyu usinganyoreki.
  12197. Ezr 7:23 Chose chinobva kumutemo waMwari wekumatenga, ngachiitirwe imba yaMwari wekumatenga nekushingaira; nokuti pangauirei hasha pamusoro peushe hwamambo nevanakomana vake?
  12198. Ezr 7:24 Tinokuzivisaiwo maererano neumwe neumwe wevapristi, nevaRevhi, vaimbi, varindi vemikova, VaNetinimi, nevaranda veimba iyi yaMwari, hakuna simba rekuisa pamusoro pavo mutero, mari yefaniro, nemari yenzira.
  12199. Ezr 7:25 Zvino iwe Ezira, zvichitevera njere dzaMwari wako, dziri muruoko rwako, isa vatambi vemhosva, nevatongi vangatonga vanhu vose vari mhiri kwerwizi, vose vanoziva mirairo yaMwari wako, uye udzidzise vasingazivi.
  12200. Ezr 7:26 Zvino ani nani asingaiti murairo waMwari wako, nemurairo wamambo, mutongo ngaukurumidze kuitwa kwaari, ungava werufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa nhumbi, kana kuva muusungwa.
  12201. Ezr 7:27 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wemadzibaba edu wakaisa seizvi mumoyo wamambo, kushongedza imba yaJehovha iri paJerusarema;
  12202. Ezr 7:28 uye wakatandavadzira tsitsi kwandiri pamberi pamambo, nevarairiri vake, nepamberi pemachinda ose ane simba amambo. Neni ndikasimbiswa zvichienderana neruoko rwaJehovha Mwari wangu pamusoro pangu; zvino ndikaunganidza vakuru kwaIsraeri kukwira neni.
  12203. Ezr 8:1 Zvino ava ndivo misoro yemadzibaba avo, uye rudzi rweavo vakakwira neni kubva kuBhabhironi, pakutonga kwaAritakiserikisi mambo.
  12204. Ezr 8:2 Pavanakomana vaPinehasi, Gerishomu; pavanakomana vaItamari, Dhaniyeri; pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi.
  12205. Ezr 8:3 Pavanakomana vaShekaniya, pavanakomana vaParoshi, Zekariya; uye pamwe naye kwakaverengwa nemarudzi evanhurume, zana nemakumi mashanu.
  12206. Ezr 8:4 Pavanakomana vaPahati-Moabhi, Eriowenai mwanakomana waZerahiya; uye pamwe naye vanhurume mazana maviri.
  12207. Ezr 8:5 Pavanakomana vaShekaniya, mwanakomana waJahazieri; uye pamwe naye vanhurume mazana matatu.
  12208. Ezr 8:6 Uye pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwe naye vanhurume makumi mashanu.
  12209. Ezr 8:7 Nepavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtariya; uye pamwe naye vanhurume makumi manomwe.
  12210. Ezr 8:8 Uye pavanakomana vaShefatiya, Zebhadhiya mwanakomana waMikayeri; uye pamwe naye vanhurume makumi masere.
  12211. Ezr 8:9 Pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwe naye vanhurume mazana maviri negumi nevasere.
  12212. Ezr 8:10 Nepavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya; uye pamwe naye vanhurume zana nemakumi matanhatu.
  12213. Ezr 8:11 Nepavanakomana vaBhebhayi, Zekariya mwanakomana waBhebhayi; uye pamwe naye vanhurume makumi maviri nevasere.
  12214. Ezr 8:12 Nepavanakomana vaAzagadhi, Johwanani mwanakomana waHakatani; uye pamwe naye vanhurume zana negumi.
  12215. Ezr 8:13 Nepavanakomana vekupedzisira vaAdhonikami, avo mazita avo ari awa: Erifereti, Jeieri, naShemaya; uye pamwe navo vanhurume makumi matanhatu.
  12216. Ezr 8:14 Uye pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwe navo vanhurume makumi manomwe.
  12217. Ezr 8:15 Zvino ndakavaunganidza parwizi rwunoenda kuAhavha; tikadzika musasapo mazuva matatu; ndokucherekedza vanhu nevapristi, uye handina kuwanapo wevanakomana vaRevhi.
  12218. Ezr 8:16 Zvino ndakatuma nhume kuna Eriezeri, kuna Arieri, kuna Shemaya, nekuna Erinatani, nekuna Jaribhati, nekuna Erinatani, nekuna Natani, nekuna Zekariya, nekuna Meshurami, misoro, nekuna Joyaribhi, nekuna Erinatani, vainzwisisa.
  12219. Ezr 8:17 Zvino ndakavatuma kuna Idho musoro panzvimbo Kasifiya; ndokuisa mumuromo mavo mashoko ekutaura kuna Idho, nehama dzake VaNetinimi, panzvimbo Kasifiya, kuti vauye kwatiri nevashumiri veimba yaMwari wedu.
  12220. Ezr 8:18 Zvino zvichienderana neruoko rwakanaka rwaMwari wedu pamusoro pedu, vakativigira munhu anonzwisisa, wevanakomana vaMahiri, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri; naSherebhiya, nevanakomana vake nehama dzake, gumi nevasere;
  12221. Ezr 8:19 naHashabhiya, uye pamwe naye Jeshaya wevanakomana vaMerari, hama dzake nevanakomana vavo, makumi maviri;
  12222. Ezr 8:20 paVaNetinimiwo, Dhavhidhi nemachinda vavaiva vapa pabasa revaRevhi, VaNetinimi mazana maviri nemakumi maviri; vose vakarehwa nemazita.
  12223. Ezr 8:21 Zvino ndakadanidzirapo mutsanyo parwizi rweAhavha, kuti tizvirwadzise pamberi paMwari wedu, kutsvaka kwaari nzira yakatiruramira isu nevanana vedu nefuma yedu yose.
  12224. Ezr 8:22 Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka revarwi nevatasvi vemabhiza kutibatsira kurwisa vavengi panzira; nokuti taiva tataura namambo, tichiti: Ruoko rwaMwari wedu rwuri pamusoro pevose vanomutsvaka kuti zvivanakire; asi simba rake nehasha dzake zviri pamusoro pevose vanomusiya.
  12225. Ezr 8:23 Naizvozvo takatsanya, ndokutsvaka kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi; zvino akanyengetedzeka nesu.
  12226. Ezr 8:24 Zvino ndakatsaura gumi nevaviri pamisoro yevapristi, vaiti: Sherebhia, Hashabhiya, uye gumi vehama dzavo pamwe navo;
  12227. Ezr 8:25 ndokuvayerera sirivha, negoridhe, nemidziyo, chipo cheimba yaMwari wedu, mambo nemakurukota ake nemachinda ake naIsraeri wose waivapo chavaiva vapa.
  12228. Ezr 8:26 Ndakayererawo muruoko rwavo matarenda mazana matanhatu nemakumi mashanu esirivha, nematarenda zana emidziyo yesirivha, nematarenda zana egoridhe;
  12229. Ezr 8:27 nembiya makumi maviri dzegoridhe rakasvika madhariki churu; nemidziyo miviri yendarira yakanaka inopenya yaishuviwa segoridhe.
  12230. Ezr 8:28 Zvino ndakati kwavari: Imwi muri vatsvene kuna Jehovha, nemidziyo mitsvene, uye sirivha negoridhe, chipo chekuzvidira kuna Jehovha Mwari wemadzibaba enyu.
  12231. Ezr 8:29 Muzvirindire, uye muchengetedze, kusvika mazviyera pamberi pemisoro yevapristi nevaRevhi, nemisoro yemadzibaba aIsraeri paJerusarema, mumakamuri eimba yaJehovha.
  12232. Ezr 8:30 Zvino vapristi nevaRevhi vakagamuchira chiyero chesirivha nechegoridhe nechemidziyo, kuti vazviise paJerusarema paimba yaMwari wedu.
  12233. Ezr 8:31 Zvino takabva parwizi rweAhavha neregumi nemaviri remwedzi wekutanga kuenda kuJerusarema; uye ruoko rwaMwari wedu rwaiva pamusoro pedu, akatinunura paruoko rwemuvengi nemuvandiri panzira.
  12234. Ezr 8:32 Zvino takasvika paJerusarema, ndokugarapo mazuva matatu.
  12235. Ezr 8:33 Zvino pazuva rechina sirivha negoridhe nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu neruoko rwaMeremoti mwanakomana wemupristi Uriya; uye pamwe naye Eriazari mwanakomana waPinehasi, uye pamwe navo Jozabhadhi mwanakomana waJeshuwa, naNowadhiya mwanakomana waBhinui, vaRevhi,
  12236. Ezr 8:34 pauwandu uye pauremu hwezvose; uye uremu hwose hwakanyorwa panguva iyoyo.
  12237. Ezr 8:35 Vana veutapwa vaiva vadzoka pautapwa vakapa zvipo zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri, nzombe diki gumi nembiri dzaIsraeri wose, makondohwe makumi mapfumbamwe nematanhatu, makwayana makumi manomwe nemanomwe, nhongo gumi nembiri dzembudzi, chipo chechivi; zvose chiri chipo chinopiswa kuna Jehovha.
  12238. Ezr 8:36 Zvino vakapa mirairo yamambo kumachinda amambo nevatongi mhiri kwerwizi, ivo ndokutsigira vanhu neimba yaMwari.
  12239. Ezr 9:1 Zvino pakupera kwezvinhu izvi kwakaswedera kwandiri machinda achiti: Vanhu vaIsraeri nevapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kubva pavanhu vedzinyika zvichienderana nezvinyangadzo zvavo, ivo vaKenani, vaHiti, vaPerezi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaEgipita, nevaAmori.
  12240. Ezr 9:2 Nokuti vakazvitorera kubva pavakunda vavo ivo nevanakomana vavo, kusvika vasanganisa mbeu tsvene nemarudzi edzinyika, hongu, ruoko rwemachinda nevabati rwaiva rwekutanga pachitadzo ichi.
  12241. Ezr 9:3 Zvino pakunzwa kwangu chinhu ichi, ndakabvarura nguvo yangu nejazi rangu, ndokudzura pavhudzi remusoro wangu nerendebvu dzangu, ndokugara pasi ndakakanuka.
  12242. Ezr 9:4 Zvino kwakaungana kwandiri umwe neumwe waibvunda pamashoko aMwari waIsraeri nekuda kwechitadzo chevatapwa; zvino ndakagara ndakakanuka kusvika pachipo chemadekwani.
  12243. Ezr 9:5 Zvino pachipo chemadekwani ndakasimuka pakuninipiswa kwangu, uye pakubvarura kwangu nguvo yangu nejazi rangu; ndikakotamira pasi nemabvi angu, ndikatandavadzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu;
  12244. Ezr 9:6 ndokuti: Mwari wangu, ndinonyara uye ndinosvoda kusimudzira chiso changu kwamuri, Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvawanda kupfuura misoro yedu, uye mhosva yedu yakakura kusvika kumatenga.
  12245. Ezr 9:7 Kubva pamazuva emadzibaba edu tiri muchitadzo chikuru kusvika pazuva rino; zvino nekuda kwekuipa kwedu isu, madzimambo edu, vapristi vedu, takapiwa muruoko rwemadzimambo edzinyika, kumunondo, mukutapwa, nemukupambiwa, uye munyadzi dzechiso, sezuva rino.
  12246. Ezr 9:8 Zvino ikozvino kwechinguvana tsitsi dzaitwa naJehovha Mwari wedu, kutisiira kupukunyuka, nekutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, uye atipe raramo diki pautapwa hwedu.
  12247. Ezr 9:9 Nokuti tiri nhapwa; asi Mwari wedu haana kutisiya muutapwa hwedu, asi wakapfuudzira tsitsi kwatiri pamberi pemadzimambo ePerisiya, kutipa raramo, kusimudza imba yaMwari wedu, nekugadzirisa matongo ayo, nekutipa rusvingo paJudha nepaJerusarema.
  12248. Ezr 9:10 Zvino ikozvino, Mwari wedu, tichatii shure kweizvi? Nokuti takasiya mirairo yenyu,
  12249. Ezr 9:11 yamakaraira neruoko rwevaranda venyu vaporofita, muchiti: Nyika kwamunoenda kuigara nhaka inyika yakasviba nekusviba kwemarudzi enyika idzo, nezvinyangadzo zvavo, zvakaizadza kubva kumucheto kusvika kumucheto, nekusachena kwadzo.
  12250. Ezr 9:12 Naizvozvo ikozvino, regai kupa vakunda venyu kuvanakomana vavo, kana kutorera vakunda vavo vanakomana venyu, kana kutsvaka rugare rwavo kana zvakanaka zvavo kusvika rinhi narinhi, kuti musimbe mudye zvakanaka zvenyika, muisiire vana venyu ive nhaka kusvika rinhi narinhi.
  12251. Ezr 9:13 Zvino shure kwezvose zvakatiwira, nekuda kwezviito zvedu zvakaipa uye kwemhosva yedu yakakura, nokuti imwi Mwari wedu makazvidzora pakutiranga zvishoma pane zvivi zvedu, ndokutipa kupukunyuka kwakadai.
  12252. Ezr 9:14 Tichagurazve mirairo yenyu here tigowanana nerudzi rwezvinyangadzo izvi? Hamungatitsamwiri kusvika matiparadza here, kusvika kusina musiiwa kana kupukunyuka?
  12253. Ezr 9:15 Jehovha, Mwari waIsraeri, imwi makarurama; nokuti tasiirwa kupukunyuka, sezuva rino; tarirai tiri pamberi penyu pamhosva yedu; nokuti hakuna angamira pamberi penyu nekuda kwechinhu ichi.
  12254. Ezr 10:1 Zvino Ezira wakati anyengetera, uye paaireurura, achichema nekuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, kwakaungana kwaari kubva kwaIsraeri ungano huru-huru yevarume nevakadzi nevana; nokuti vanhu vakachema kuchema kukuru.
  12255. Ezr 10:2 Zvino Shekaniya mwanakomana waJehieri, umwe wevanakomana vaErami, wakapindura ndokuti kuna Ezira: Isu takatadzira Mwari wedu ndokuwana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika; asi ikozvino tariro iriko kwaIsraeri maererano neizvi.
  12256. Ezr 10:3 Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, kuti tibudise vakadzi ava vose, nevakaberekwa navo, sezano rashe wangu, nereavo vanobvunda pamurairo waMwari wedu; uye ngazviitwe zvichienderana nemurairo.
  12257. Ezr 10:4 Simukai, nokuti nyaya iri pamusoro penyu, uye isu tinemwi; simbai muite.
  12258. Ezr 10:5 Zvino Ezira wakasimuka, ndokupikisa vakuru vevapristi, vaRevhi, naIsraeri wose, kuti vaite zvinoenderana neshoko iri. Ivo ndokupika.
  12259. Ezr 10:6 Zvino Ezira wakasimuka kubva pamberi peimba yaMwari, ndokupinda mukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi; pakusvika kwakepo, chingwa haana kudya, uye mvura haana kunwa, nokuti anochema nekuda kwechitadzo chevatapwa.
  12260. Ezr 10:7 Zvino vakaita danidziro kupfuura nepaJudha neJerusarema kuvana vose veutapwa kuti vaungane paJerusarema.
  12261. Ezr 10:8 Uye ani nani asina kusvika mumazuva matatu, zvichienderana nezano remachinda nevakuru, nhumbi dzake dzose dzichatorwa, naiye achaparadzaniswa neungano yevatapwa.
  12262. Ezr 10:9 Zvino varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusarema mumazuva matatu; waiva mwedzi wepfumbamwe, neremakumi maviri remwedzi; vanhu vose ndokugara pachivanze cheimba yaMwari, vachibvunda nekuda kwenyaya iyi uye nekuda kwemvura huru.
  12263. Ezr 10:10 Zvino Ezira mupristi wakasimuka, ndokuti kwavari: Imwi makadarika ndokuwana vakadzi vatorwa, kuwedzera chitadzo chaIsraeri.
  12264. Ezr 10:11 Naizvozvo zvino itai reururo kuna Jehovha Mwari wemadzibaba enyu, uye muite chido chake, muzvitsaure kundudzi dzenyika nekuvakadzi vatorwa.
  12265. Ezr 10:12 Zvino ungano yose yakapindura ndokuti nenzwi guru: Semashoko enyu, saizvozvo zviri pamusoro pedu kuti tizviite.
  12266. Ezr 10:13 Asi vanhu vazhinji, uye inguva yemvura zhinji, uye hatigoni kumira kunze; uye harisi basa rezuva rimwe kana mazuva maviri, nokuti tiri vazhinji vakadarika pachinhu ichi.
  12267. Ezr 10:14 Zvino machinda edu eungano yose ngaamire, uye vose vari mumaguta edu vakawana vakadzi vatorwa ngavauye panguva dzakatarwa uye pamwe navo vakuru veguta rimwe nerimwe, nevatongi varo, kusvika tadzosa kutsamwa kunopfuta kwaMwari wedu kubva kwatiri, nekuda kwenyaya iyi.
  12268. Ezr 10:15 Jonatani mwanakomana waAsaheri naJazeya mwanakomana waTikivha voga vakamira kupikisa izvi; uye Meshurami nemuRevhi Shabhetai vakavabatsira.
  12269. Ezr 10:16 Zvino vana veutapwa vakaita saizvozvo; uye Ezira mupristi, varume, misoro yemadzibaba neimba yemadzibaba avo, nevose vavo nemazita, vakatsaurwa, ndokugara pazuva rekutanga remwedzi wegumi kunzvera nyaya iyi.
  12270. Ezr 10:17 Zvino vakapedzerana nevarume vose vaiva vawana vakadzi vatorwa kusvika pazuva rekutanga remwedzi wekutanga.
  12271. Ezr 10:18 Nepavanakomana vevapristi pakawanikwa vaiva vawana vakadzi vatorwa. Pavanakomana vaJeshuwa mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedhariya.
  12272. Ezr 10:19 Zvino vakapa ruoko rwavo kubudisa vakadzi vavo, nokuti vane mhosva, vakapa gondohwe remakwai pamhosva yavo.
  12273. Ezr 10:20 Nepavanakomana vaImeri: Hanani naZebhadhia.
  12274. Ezr 10:21 Nepavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.
  12275. Ezr 10:22 Nepavanakomana vaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishimaeri, Netaneri, Jozabhadhi, naErasha.
  12276. Ezr 10:23 NepavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), Petahia, Judha, naEriezeri.
  12277. Ezr 10:24 Pavaimbiwo: Eriashibhi. Nepavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.
  12278. Ezr 10:25 Nepana Israeri: Pavanakomana vaParoshi: Ramiya, naIziya, naMarikiya, naMiyamini, naEriazari, naMarikiya, naBhenaya.
  12279. Ezr 10:26 Nepavanakomana vaErami: Mataniya, Zekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEriya.
  12280. Ezr 10:27 Nepavanakomana vaZatu: Eriowenai, Eriashibhi, Mataniya, naJeremoti, naZabhadi, naAziza.
  12281. Ezr 10:28 Nepavanakomana vaBhebhayi: Jehohanani, Hananiya, Zabhai, Atirai.
  12282. Ezr 10:29 Nepavanakomana vaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, Jashubhi, naSheari, naRamoti.
  12283. Ezr 10:30 Nepavanakomana vaPahati-Moabhi: Adhina, naKerari, Bhenaya, Maaseya, Mataniya, Bhezareeri, naBhinui, naManase.
  12284. Ezr 10:31 Nepavanakomana vaHarimi: Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,
  12285. Ezr 10:32 Bhenjamini, Maruki, Shemariya.
  12286. Ezr 10:33 Pavanakomana vaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase, Shimei.
  12287. Ezr 10:34 Pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmiramu, naUweri,
  12288. Ezr 10:35 Bhenaya, Bhedheya, Keruhi;
  12289. Ezr 10:36 Vhaniya, Meremoti, Eriashibhi,
  12290. Ezr 10:37 Mataniya, Matenai, naJaasa,
  12291. Ezr 10:38 naBhani, naBhinui, Shimei,
  12292. Ezr 10:39 naSheremiya, naNatani, naAdhaya,
  12293. Ezr 10:40 Makinadhebhai, Shashai, Sharai,
  12294. Ezr 10:41 Azareri, naSheremiya, Shemariya,
  12295. Ezr 10:42 Sharumi, Amariya, Josefa.
  12296. Ezr 10:43 Pavanakomana vaNebho: Jeieri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, naJoweri, Bhenaya.
  12297. Ezr 10:44 Ava vose vaiva vawana vakadzi vatorwa; uye varipo pakati pavo vakadzi vavaiva nevana navo
  12298. Neh 1:1 Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakariya. Zvino zvakaitika mumwedzi weKisirevhi, mugore remakumi maviri, ini pandaiva ndiri paShushani muzinda,
  12299. Neh 1:2 kuti Hanani, umwe wehama dzangu, wakasvika iye nevarume vaibva kwaJudha; zvino ndakavabvunza maererano nevaJudha vaiva vapukunyuka vakasara pautapwa, uye maererano neJerusarema.
  12300. Neh 1:3 Zvino vakati kwandiri: Vasiiwa, vakasarapo pakutapwa padunhu, vari pakutambudzika kukuru nepakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremawo rwakoromoka, nemasuwo aro apiswa nemoto.
  12301. Neh 1:4 Zvino zvakaitika pandanzwa mashoko awa, kuti ndakagara pasi ndokuchema, ndokurira kwemazuva; uye ndaitsanya, nekunyengetera pamberi paMwari wekumatenga.
  12302. Neh 1:5 Zvino ndakati: Haiwa Jehovha Mwari wekumatenga, Mwari mukuru uye anotyisa, anochengetedza sungano netsitsi kune vanomuda uye vachichengeta mirairo yake.
  12303. Neh 1:6 Nzeve yenyu ikozvino ngaiteerere, nemeso enyu asvinure, kuti munzwe munyengetero wemuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu nhasi, masikati neusiku pamusoro pevana vaIsraeri varanda venyu, uye ndichireurura nekuda kwezvivi zvevana vaIsraeri zvatakakutadzirai. Hongu, ini neveimba yababa vangu takatadza.
  12304. Neh 1:7 Takakuitirai zvakaipa kwazvo, uye hatina kuchengeta mirairo nezvimiso nemitongo zvamakaraira muranda wenyu Mozisi.
  12305. Neh 1:8 Rangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi muchiti: Kana imwi mukadarika, ini ndichakuparadzirai pakati pemarudzi.
  12306. Neh 1:9 Kana imwi mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nekuiita, kana vakarashwa venyu vari kumacheto ekumatenga, ndichavaunganidza kubva ipapo, uye ndichavaunza panzvimbo yandakasarudza kugarisa zita rangupo.
  12307. Neh 1:10 Zvino ava varanda venyu uye vanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru, uye neruoko rwenyu rwune simba.
  12308. Neh 1:11 Haiwa, Ishe, nzeve yenyu ngaiteerere ikozvino kumunyengetero wemuranda wenyu nekumunyengetero wevaranda venyu vanoshuva kutya zita renyu; mugobudiririsa henyu muranda wenyu nhasi, mumupe ngoni pamberi pemunhu uyu.
  12309. Neh 2:1 Zvino zvakaitika mumwedzi weNisani, mugore remakumi maviri ramambo Aritakiserikisi, waini iri pamberi pake. Zvino ndakasimudza waini, ndokupa kuna mambo. Zvino ndaiva ndisati ndambosuwa pamberi pake.
  12310. Neh 2:2 Mambo ndokuti kwandiri: Chiso chako chakasuruvara nei iwe zvausingarwari? Hachisi chinhu kunze kwekusuwa kwemoyo. Zvino ndakatya zvikuru kwazvo.
  12311. Neh 2:3 Zvino ndakati kuna mambo: Mambo ngaararame nekusingaperi! Chiso changu chingaregerei kusuwa, kana guta muzinda wemakuva emadzibaba angu riri dongo, nemasuwo aro apedzwa nemoto?
  12312. Neh 2:4 Mambo ndokuti kwandiri: Ikozvino unotsvakei? Zvino ndakanyengetera kuna Mwari wekumatenga.
  12313. Neh 2:5 Zvino ndakati kuna mambo: Kana zvakanaka kuna mambo, uye kana muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, kuti munditume kwaJudha, kuguta remakuva emadzibaba angu, zvino ndichanorivaka.
  12314. Neh 2:6 Mambo ndokuti kwandiri (vahosiwo vaiva vagere naye): Rwendo rwako ruchava kusvika rinhi? Uchadzoka rinhi? Zvino mambo akatenda kundituma. Uye ndikamutarira nguva.
  12315. Neh 2:7 Ndakatiwo kuna mambo: Kana zvichifadza mambo, tsamba ngadzipiwe kwandiri kuenda kuvatongi mhiri kwerwizi, kuti vandipfuudze kusvika ndasvika kwaJudha;
  12316. Neh 2:8 netsamba kuna Asafi muchengeti wesango riri ramambo, kuti ape kwandiri matanda ekuita mapuranga emasuwo emuzinda waiva nechepamba, neerusvingo rweguta, neeimba yandichapinda mairi. Mambo ndokundipa zvichienderana neruoko rwakanaka rwaMwari wangu pamusoro pangu.
  12317. Neh 2:9 Zvino ndakasvika kuvatongi mhiri kwerwizi, ndokuvapa tsamba dzamambo. Zvino mambo waiva atuma pamwe neni vatungamiriri vehondo nevatasvi vemabhiza.
  12318. Neh 2:10 Sanibharati muHoroni naTobhiya muranda muAmoni pavakanzwa, vakadedera zvakaipa kwazvo kuti kwakasvika munhu anotsvakira vana vaIsraeri zvakanaka.
  12319. Neh 2:11 Zvino ndakasvika kuJerusarema ndokuvako mazuva matatu.
  12320. Neh 2:12 Zvino ndakasimuka usiku, ini nevarume vashoma pamwe neni; uye handina kuudza munhu izvo Mwari wangu zvaakaisa mumoyo mangu kuti ndiite paJerusarema; uye paiva pasina mhuka pamwe neni kunze kwemhuka yandaiva ndakatasva.
  12321. Neh 2:13 Zvino ndakabuda pausiku nesuwo remupata, uye kumberi kwechitubu chebukanana, nepasuwo remufudze, ndokucherekedza masvingo eJerusarema aiva akoromoka, nemasuwo aro akapedzwa nemoto.
  12322. Neh 2:14 Zvino ndakapfuurira kusuwo retsime, nekudziva ramambo; asi paiva pasina nzvimbo yemhuka kupfuura nepasi pangu.
  12323. Neh 2:15 Zvino ndakakwira neparukova pausiku ndichicherekedza rusvingo; ndokutendeuka ndokupinda nepasuwo remupata, ndokudzoka.
  12324. Neh 2:16 Zvino vatongi havana kuziva kwandaiva ndaenda uye kuti ndakaitei; uye kuvaJudha nekuvapristi nekuvabati nekuvatungamiriri nekune vamwe vaiita basa, kusvika nhasi handina kuzvitaura.
  12325. Neh 2:17 Zvino ndakati kwavari: Munoona dambudziko ratiri mariri, kuti Jerusarema idongo, nemasuwo aro akapiswa nemoto; uyai, uye ngativake rusvingo rweJerusarema, kuti tisachivazve chiseko.
  12326. Neh 2:18 Zvino ndakavaudza zveruoko rwaMwari wangu rwakanaka pamusoro pangu, uyewo mashoko amambo aakataura kwandiri. Zvino vakati: Ngatisimuke tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo pane zvakanaka.
  12327. Neh 2:19 Asi Sanibharati muHoroni, naTobhiya muranda muAmoni, naGeshemu muArabhiya, pavakanzwa, vakatisvabaidza, ndokutizvidza, ndokuti: Chii chinhu ichi chamunoita? Munomukira mambo kanhi?
  12328. Neh 2:20 Zvino ndakavadzosera shoko, ndokuti kwavari: Mwari wekumatenga, iye achatibudiririsa; nesu varanda vake tichasimuka tivake; asi imwi hamuna mugove nekodzero nechirangaridzo paJerusarema.
  12329. Neh 3:1 Zvino Eriashibhi mupristi mukuru wakasimuka pamwe nehama dzake vapristi, ndokuvaka suwo remakwai; ivo ndokuriita dzvene, ndokumisa magonhi aro; uye vakariita dzvene kusvika pashongwe yeMeya kusvika pashongwe yeHananeri.
  12330. Neh 3:2 Zvino kurutivi rwake kwakavaka varume veJeriko. Nekurutivi rwavo kwakavaka Zakuri mwanakomana waImiri.
  12331. Neh 3:3 Zvino suwo rehove vakavaka vanakomana vaHasenaa; ivo vakamisa mapuranga aro, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro.
  12332. Neh 3:4 Nekurutivi rwavo wakagadzira Meremoti mwanakomana waUriya mwanakomana waKozi. Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Meshurami mwanakomana waBherekiya mwanakomana waMeshezabheeri. Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Zadhoki mwanakomana waBhaana.
  12333. Neh 3:5 Zvino kurutivi rwavo VaTekoi vakagadzira; asi vakuru vavo havana kuisa mutsipa wavo pabasa rashe wavo.
  12334. Neh 3:6 Zvino suwo rekare wakagadzira Joyadha mwanakomana waPaseya, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa mapuranga aro, ndokumisa magonhi aro, nekiyi dzaro, nemazariro aro.
  12335. Neh 3:7 Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Meratiya muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, varume veGibhiyoni neveMizipa, kusvika kuchigaro cheushe chemutongi wemhiri kwerwizi.
  12336. Neh 3:8 Kurutivi rwake wakagadzira Uziyeri mwanakomana waHarihaya wevapfuri vegoridhe. Uye kurutivi rwake wakagadzira Hananiya, umwe wevavhenganisi vezvinonhuhwira; zvino vakagadzira Jerusarema kusvika parusvingo rwakapamhama.
  12337. Neh 3:9 Nekurutivi rwavo wakagadzira Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yedunhu reJerusarema.
  12338. Neh 3:10 Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Jedhaya mwanakomana waHarumafi, uye pakatarisana neimba yake. Zvino kurutivi rwake wakagadzira Hatushi mwanakomana waHashabheneya.
  12339. Neh 3:11 Chiyero chechipiri vakagadzira Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahati-Moabhi, neshongwe yemavira emoto.
  12340. Neh 3:12 Zvino kurutivi rwake wakagadzira Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yedunhu reJerusarema, iye nevakunda vake.
  12341. Neh 3:13 Suwo remupata wakagadzira Hanuni nevagari veZanowa; ivo vakarivaka, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro; uye makubhiti churu erusvingo kusvika pasuwo remufudze.
  12342. Neh 3:14 Zvino suwo remufudze wakagadzira Marikiya mwanakomana waRekabhi, mutongi wedunhu reBheti-Hakeremi; iye wakarivaka, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro.
  12343. Neh 3:15 Zvino suwo retsime wakagadzira Sharumi mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa; iye wakarivaka, ndokuripfurira, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro; uye rusvingo rwedziva reShera pabindu ramambo, uye kusvika pamitanho inoburuka kubva muguta raDhavhidhi.
  12344. Neh 3:16 Shure kwake kwakagadzira Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mutongi wehafu yedunhu reBheti-Zuri, kusvika pakatarisana nemakuva aDhavhidhi, uye kusvika kudziva raiva raitwa, uye kusvika kuimba yevane simba.
  12345. Neh 3:17 Shure kwake kwakagadzira vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani. Kurutivi rwake wakagadzira Hashabhiya mutongi wehafu yedunhu reKeira, padunhu rake.
  12346. Neh 3:18 Shure kwake kwakagadzira hama dzavo, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mutongi wehafu yedunhu reKeira.
  12347. Neh 3:19 Zvino kurutivi rwake wakagadzira Ezeri mwanakomana waJeshuwa, mutongi weMizipa, chimwe chiyero, pakatarisana nemukwidza weimba yenhumbi dzehondo, pakona.
  12348. Neh 3:20 Shure kwake kwakagadzira nekushingaira Bharuki mwanakomana waZabhai chiyero chechipiri kubva pakona kuenda kumukova weimba yaEriashibhi mupristi mukuru.
  12349. Neh 3:21 Shure kwake kwakagadzira chimwe chiyero Meremoti mwanakomana waUriya mwanakomana waHakozi, kubva pamukova weimba yaEriashibhi kusvika pakuguma kweimba yaEriashibhi.
  12350. Neh 3:22 Zvino shure kwake kwakagadzira vapristi, varume venzvimbo yakapoteredza.
  12351. Neh 3:23 Shure kwake kwakagadzira Bhenjamini naHashubhi pakatarisana neimba yavo. Shure kwake kwakagadzira Azariya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waAnania parutivi rweimba yake.
  12352. Neh 3:24 Shure kwake kwakagadzira Bhinui mwanakomana waHenadhadhi chimwe chiyero, kubva paimba yaAzariya kusvika pakona, kunosvikazve panotenderera.
  12353. Neh 3:25 Parari mwanakomana waUzayi, pakatarisana nekona, neshongwe inobuda paimba yepamusoro yamambo, iri pachivanze chevarindi. Shure kwake Pedhaya mwanakomana waParoshi.
  12354. Neh 3:26 Zvino VaNetinimi vaigara muOferi, kusvika pakatarisana nesuwo remvura nechekumabvazuva neshongwe yakabudikira.
  12355. Neh 3:27 Shure kwake VaTekoi vakagadzira chimwe chiyero pakatarisana neshongwe huru yakabudikira, kusvikawo parusvingo rweOferi.
  12356. Neh 3:28 Kubva pamusoro pesuwo remabhiza kwakagadzira vapristi, umwe neumwe pakatarisana neimba yake.
  12357. Neh 3:29 Shure kwavo kwakagadzira Zadhoki mwanakomana waImeri, pakatarisana neimba yake. Uye shure kwake kwakagadzira Shemaya mwanakomana waShekaniya, murindi wesuwo rekumabvazuva.
  12358. Neh 3:30 Shure kwake kwakagadzira Hananiya mwanakomana waSheremiya, naHanuni mwanakomana wechitanhatu waZarafi chimwe chiyero. Shure kwake kwakagadzira Meshurami mwanakomana waBherekiya pakatarisana nekamuri yake.
  12359. Neh 3:31 Shure kwake kwakagadzira Marikiya umwe wevapfuri vegoridhe, kusvika kuimba yevaNetinimi neyevatengesi, pakatarisana nesuwo raMifekadhi, kusvika pakamuri yekumusoro yepakona.
  12360. Neh 3:32 Zvino pakati nepakati peimba yekumusoro yepakona nesuwo remakwai, vapfuri vegoridhe nevatengesi vakagadzira.
  12361. Neh 4:1 Zvino zvakaitika, kuti Sanibharati paakanzwa kuti tinovaka rusvingo, wakatsamwa, akava neshungu kwazvo, ndokuseka vaJudha.
  12362. Neh 4:2 Zvino wakataura pamberi pehama dzake nehondo yeSamariya, ndokuti: VaJudha ava vasina simba vanoitei? Vachazvisimbisa here? Vachabaira here? Vachapedza pazuva rimwe here? Vachamutsiridza mabwe here pamatutu eguruva, izvo zvakatsva here?
  12363. Neh 4:3 Zvino Tobhiya muAmoni waiva naye, ndokuti: Neicho chavanovaka, kana gava rikakwira, richakoromora rusvingo rwavo rwemabwe.
  12364. Neh 4:4 Inzwai, Mwari wedu, nokuti tinozvidzwa; mudzosere kushora kwavo pamusoro wavo, uye muvape kuva vapambwa panyika yeutapwa.
  12365. Neh 4:5 Zvino regai kufukidza mhosva yavo, nechivi chavo chisadzimwa kubva pamberi penyu, nokuti vakatsamwisa pamberi pevavaki.
  12366. Neh 4:6 Zvino takavaka rusvingo; uye rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvika pahafu yarwo; nokuti vanhu vaiva nemoyo wekushanda.
  12367. Neh 4:7 Asi zvakaitika Sanibharati naTobhiya nevaArabhiya nevaAmoni nevaAshidhodhi pavakanzwa kuti kugadzirwa kwemasvingo eJerusarema kwakwirira, kuti maburi otanga kudzivirwa, vakatsamwa kwazvo.
  12368. Neh 4:8 Zvino vakarangana vose pamwe chete kuti vauye varwe neJerusarema, uye kuti vaite nyonganiso mariri.
  12369. Neh 4:9 Asi takanyengetera kuna Mwari wedu, ndokuvaisira varindi masikati neusiku, nekuda kwavo.
  12370. Neh 4:10 Zvino Judha wakati: Simba revatakuri vemitoro raderera, uye marara akawanda; saka isu hatigoni kuvaka rusvingo.
  12371. Neh 4:11 Zvino vavengi vedu vakati: Havangazivi kana kuona, kusvika tapinda pakati pavo ndokuvauraya, tigomisa basa.
  12372. Neh 4:12 Zvino zvakaitika kuti vaJudha vaigara pedo navo vakasvika vakati kwatiri kagumi: Munobva kunzvimbo dzose munofanira kudzokera kwatiri.
  12373. Neh 4:13 Naizvozvo ndakagadza panzvimbo dzakadereresa shure kwerusvingo panzvimbo dziri pachena, hongu ndakagadza vanhu zvichitevera mhuri vane minondo yavo, mapfumo avo, neuta hwavo.
  12374. Neh 4:14 Zvino ndakatarira, ndokusimuka, ndokuti kuvakuru nekuvatongi nekune vamwe vevanhu: Musavatya; rangarirai Ishe mukuru uye anotyisa, mugorwira hama dzenyu, vanakomana venyu, nevakunda venyu, vakadzi venyu, nedzimba dzenyu.
  12375. Neh 4:15 Zvino zvakaitika vavengi vedu pavakanzwa kuti zvazikanwa kwatiri, kuti Mwari wakakonesa kurangana kwavo, takadzokera tose kurusvingo, umwe neumwe kubasa rake.
  12376. Neh 4:16 Zvino zvakaitika kubva pazuva iroro, hafu yevaranda vangu vakaita basa, uye hafu yavo vakabata mapfumo, nhovo, neuta, nenguvo dzematare; uye vatongi vaiva shure kweimba yose yaJudha.
  12377. Neh 4:17 Vaivaka parusvingo, nevaitakura mitoro, vaitutira, umwe neumwe nerumwe rwemaoko ake waishanda pabasa, nerwumwe rwakabatira pachombo chekurwa.
  12378. Neh 4:18 Zvino vavaki, umwe neumwe waiva nemunondo wake wakasungirwa muchiuno chake vachivaka, uye wairidza hwamanda waiva parutivi rwangu.
  12379. Neh 4:19 Zvino ndakati kuvakuru nekuvatongi nekune vamwe vevanhu: Basa iguru uye rakapararira, nesu takaparadzana parusvingo, umwe ari kure neumwe.
  12380. Neh 4:20 Panzvimbo pamunonzwa kurira kwehwamanda, unganai ipapo kwatiri. Mwari wedu achatirwira.
  12381. Neh 4:21 Saizvozvo takashanda pabasa; uye hafu yavo vaiva vakabata mapfumo, kubva pakusimuka kwemambakwedza kusvika pakubuda kwenyeredzi.
  12382. Neh 4:22 Panguva iyo ndakatiwo kuvanhu: Umwe neumwe nemuranda wake ngaarare mukati meJerusarema, kuti vave varindi kwatiri usiku, nevashandi masikati.
  12383. Neh 4:23 Naizvozvo hakuna, ini, kana hama dzangu, kana varanda vangu, kana varume vevarindi vaiva shure kwangu, hakuna wedu akakurura nguvo dzedu; umwe neumwe wakadzikururira kushamba.
  12384. Neh 5:1 Zvino kwakava nekuchema kukuru kwevanhu nevakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
  12385. Neh 5:2 Nokuti kwakava nevakati: Vanakomana vedu nevanasikana vedu, isu takawanda, naizvozvo ngatitore zviyo kuti tidye tigorarama.
  12386. Neh 5:3 Uye kwakava nevakati: Takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa nedzimba dzedu chibatiso kuti titenge zviyo panzara.
  12387. Neh 5:4 Uye kwakava nevakati: Takakwereta mari yemutero wamambo, paminda yedu neminda yedu yemizambiringa.
  12388. Neh 5:5 Zvakadaro ikozvino nyama yedu yakaita senyama yehama dzedu, vana vedu sevana vavo; zvino tarirai tinounza muutapwa vanakomana vedu nevakunda vedu kuva varanda; uye varipo pavakunda vedu veutapwa; uye ruoko rwedu harwuna simba, nokuti vamwe vane minda yedu neminda yedu yemizambiringa.
  12389. Neh 5:6 Zvino ndakatsamwa kwazvo pandakanzwa kuchema kwavo nemashoko awa.
  12390. Neh 5:7 Zvino moyo wangu wakafunga mukati mangu, ndokurwisana nevakuru uye nevatongi, ndokuti kwavari: Imwi munokweretesa nechimbadzo, umwe neumwe hama yake. Zvino ndakagadza ungano huru pamusoro pavo.
  12391. Neh 5:8 Ndokuti kwavari: Isu nesimba riri matiri takatenga hama dzedu vaJudha vaiva vatengeswa kuvahedheni; nemwi muchatengesawo hama dzenyu, kana vatengeswe kwatiri here? Zvino vakanyarara, uye havana kuwana mhinduro.
  12392. Neh 5:9 Ndikatiwo: Chinhu chamunoita hachina kunaka. Hamufaniri kufamba mukutya Mwari wedu here nekuda kwekushora kwevahedheni vavengi vedu?
  12393. Neh 5:10 Neniwo, hama dzangu, nevaranda vangu, tanga tichikweretesa kwavari mari nezviyo. Ngatirege hedu chimbadzo ichi.
  12394. Neh 5:11 Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, minda yavo yemizambiringa, minda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye chezana chemari, nechezviyo, chewaini itsva, nechemafuta, zvamunovaripisa.
  12395. Neh 5:12 Zvino vakati: Tichadzosa, uye hatingarevi chinhu kwavari. Tichaita saizvozvo sezvamunoreva. Zvino ndakadana vapristi, ndokuvapikisa kuti vachaita zvinoenderana neshoko iri.
  12396. Neh 5:13 Ndikazunzawo nguvo yepachipfuva changu, ndokuti: Saizvozvo Mwari ngaazunze umwe neumwe abve paimba yake nepabasa rake, uyo asingasimbisi shoko iri, uye saizvozvo ngaazunzwe asava nechinhu. Zvino ungano yose yakati: Ameni! Zvino vakarumbidza Jehovha. Vanhu ndokuita zvinoenderana neshoko iri.
  12397. Neh 5:14 Uye kubva pazuva randakagadzwa kuti ndive mutongi wavo panyika yaJudha, kubva pagore remakumi maviri kusvikawo pagore remakumi matatu nemaviri ramambo Aritakiserikisi, makore gumi nemaviri, ini nehama dzangu hatina kudya chingwa chemutongi.
  12398. Neh 5:15 Asi vatongi vekutanga, vakavapo pamberi pangu, vairemedza vanhu, vachitora kwavari chingwa newaini, pamusoro pemashekeri esirivha makumi mana; nevaranda vavo vakatonga zvinorema pamusoro pevanhu; asi ini handina kuita saizvozvo, nekuda kwekutya Mwari.
  12399. Neh 5:16 Uyewo pabasa rerusvingo urwu ndakaita nesimba uye munda hatina kutenga; nevaranda vangu vose vakaunganira basa pano.
  12400. Neh 5:17 Uye vaJudha nevatongi, varume zana nemakumi mashanu, neavo vakauya kwatiri vachibva kundudzi dzakatipoteredza, vaiva patafura yangu.
  12401. Neh 5:18 Zvino zvakagadzirirwa zuva rimwe zvaiva nzombe imwe, makwai matanhatu akasarudzwa; uye huku dzakagadzirirwa ini, uye kamwe pamazuva gumi waini zhinji yemarudzi ose; uye neizvi handina kutsvaka chingwa chemutongi, nokuti utapwa hwairema pamusoro pevanhu ava.
  12402. Neh 5:19 Ndirangarirei, Mwari wangu, pane zvakanaka, zvose zvandakaitira rudzi urwu.
  12403. Neh 6:1 Zvino zvakaitika pazvakanzwikwa naSanibharati naTobhiya uye naGeshemu muArabhiya uye nevamwe vevavengi vedu kuti ndavaka rusvingo uye hapana kusara buri marwuri, kunyange kusvika panguva iyo ndaiva ndisina kumisa magonhi pamasuwo,
  12404. Neh 6:2 kuti Sanibharati naGeshemu vakatuma kwandiri, vachiti: Uyai, ngatisangane pamwe pamisha pabani reOno. Asi vaifunga kundiitira chakaipa.
  12405. Neh 6:3 Zvino ndakatuma nhume kwavari ndichiti: Ndinoita basa guru, uye handigoni kuburuka; basa ringamirirei ndichirisiya ndikaburukira kwamuri?
  12406. Neh 6:4 Zvino vakatuma kwandiri kana zvichienderana neshoko iri, ini ndokuvapindura zvichienderana neshoko iri.
  12407. Neh 6:5 Zvino Sanibharati wakatuma kwandiri muranda wake zvichienderana neshoko iri rwechishanu netsamba yakazaruka muruoko rwake.
  12408. Neh 6:6 Mairi maiva makanyorwa kuti: Zvakanzwikwa pakati pendudzi, naGashemu anoti: Iwe nevaJudha munofunga kupanduka, naizvozvo unovaka rusvingo, kuti iwe uve mambo kwavari, zvichienderana nemashoko awa.
  12409. Neh 6:7 Uyewo wakagadza vaporofita kuparidza nezvako paJerusarema vachiti: Kuna mambo kwaJudha. Zvino ikozvino zvanzwikwa kuna mambo zvichienderana nemashoko awa. Naizvozvo ikozvino, uya, tirangane.
  12410. Neh 6:8 Zvino ndakatuma kwaari ndichiti: Hakuna zvinhu zvakadaro zvinoitwa sezvaunoreva, asi wazviumba kubva mumoyo mako.
  12411. Neh 6:9 Nokuti vose vanotityisa vachiti: Maoko avo achashaiswa simba pabasa kuti risaitwa. Naizvozvo zvino simbisai maoko angu.
  12412. Neh 6:10 Zvino ini ndapinda muimba yaShemaya mwanakomana waDheraya mwanakomana waMehetabheri waiva apfigirwa, iye ndokuti: Ngatisangane muimba yaMwari, mukati metembere, zvino tipfige mikova yetembere; nokuti vanouya kukuuraya; hongu vanouya usiku kuzokuuraya.
  12413. Neh 6:11 Zvino ndakati: Munhu wakaita seni angatiza here? Uye ndiani wakaita seni angapinda mutembere kuti ararame? Handingapindi.
  12414. Neh 6:12 Zvino ndakaziva, tarira, Mwari haana kumutuma, asi wakataura chiporofita ichi kurwisana neni, nokuti Tobhiya naSanibharati vaiva vamuhaya.
  12415. Neh 6:13 Naizvozvo wakahaiwa kuti nditye ndigoita saizvozvo ndigotadza, kuti vave nechimwe nezita rakaipa, kuti vandishore.
  12416. Neh 6:14 Rangarirai, Mwari wangu, zvaTobhiya nezvaSanibharati zvichienderana nemabasa ake awa, uyewo nezvaNowadhiya muporofitakadzi, nezvevamwe vevaporofita, vaindityityidzira.
  12417. Neh 6:15 Zvino rusvingo rwakapera neremakumi maviri nemashanu raEruri, mumazuva makumi mashanu nemaviri.
  12418. Neh 6:16 Zvino zvakaitika vavengi vedu vose pavakanzwa nendudzi dzose dzakapotoredza dzichiona, kuti vakawa zvikuru pameso avo, nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.
  12419. Neh 6:17 Uye mumazuva iwawo vakuru vaJudha vakawanza tsamba dzavo dzinoenda kuna Tobhiya, uye dzaTobhiya dzakauya kwavari.
  12420. Neh 6:18 Nokuti vazhinji kwaJudha vaiva vapika kwaari, nokuti iye waiva mukwasha waShekaniya mwanakomana waAra; uye mwanakomana wake Jehohanani waiva awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekiya.
  12421. Neh 6:19 Uye vaitaura zviito zvake zvakanaka pamberi pangu, uye mashoko angu vaiabudisira kwaari. Tobhiya akatuma tsamba dzekundityityidzira.
  12422. Neh 7:1 Zvino zvakaitika rusvingo parwaiva rwavakwa, ndamisa magonhi, uye varindi vemikova, nevaimbi, nevaRevhi vagadzwa,
  12423. Neh 7:2 kuti ndakaraira Hanani munin’ina wangu naHananiya mutongi wenhare kuva pamusoro peJerusarema; nokuti waiva semunhu wakatendeka, uye waitya Mwari kupfuura vazhinji.
  12424. Neh 7:3 Zvino ndakati kwavari: Masuwo eJerusarema ngaarege kuzarurwa kusvika zuva rapisa; zvino vachakamirapo ngavapfige mikova mugokiya; mugogadza varindi pavagari veJerusarema, umwe neumwe pachirindo chake, uye umwe neumwe pakatarisana neimba yake.
  12425. Neh 7:4 Zvino guta raiva bamhi mativi maviri uye rakakura; asi vanhu vaiva vashoma mariri; uye dzimba dzaiva dzisina kuvakwa.
  12426. Neh 7:5 Zvino Mwari wangu wakapa mumoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru nevatongi nevanhu, kuti vaverengwe nemarudzi. Zvino ndakawana bhuku remarudzi evakakwira pakutanga, ndokuwana makanyorwa mariri:
  12427. Neh 7:6 Ava vana vedunhu vakakwira kubva muutapwa pane vakatapwa, avo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi vaakatapa, ndokudzokera kuJerusarema nekwaJudha, umwe neumwe kuguta rake.
  12428. Neh 7:7 Ivo vakauya naZerubhabheri, Jeshuwa, Nehemiya, Azariya, Raamiya, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhayi, Nehumi, Bhaana. Uwandu hwevarume vevanhu vaIsraeri:
  12429. Neh 7:8 Vana vaParoshi, zvuru zviviri nezana nemakumi manomwe nevaviri.
  12430. Neh 7:9 Vana vaShefatiya, mazana matatu nemakumi manomwe nevaviri.
  12431. Neh 7:10 Vana vaAra, mazana matanhatu nemakumi mashanu nevaviri.
  12432. Neh 7:11 Vana vaPahati-Moabhi, vevana vaJeshuwa naJoabhu, zvuru zviviri nemazana masere negumi nevasere.
  12433. Neh 7:12 Vana vaErami, churu nemazana maviri nemakumi mashanu nevana.
  12434. Neh 7:13 Vana vaZatu, mazana masere nemakumi mana nevashanu.
  12435. Neh 7:14 Vana vaZakai, mazana manomwe nemakumi matanhatu.
  12436. Neh 7:15 Vana vaBhinui, mazana matanhatu nemakumi mana nevasere.
  12437. Neh 7:16 Vana vaBhebhayi, mazana matanhatu nemakumi maviri nevasere.
  12438. Neh 7:17 Vana vaAzigadhi, zvuru zviviri nemazana matatu nemakumi maviri nevaviri.
  12439. Neh 7:18 Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevanomwe.
  12440. Neh 7:19 Vana vaBhigivhayi, zvuru zviviri nemakumi matanhatu nevanomwe.
  12441. Neh 7:20 Vana vaAdhini, mazana matanhatu nemakumi mashanu nevashanu.
  12442. Neh 7:21 Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe nevasere.
  12443. Neh 7:22 Vana vaHashumi, mazana matatu nemakumi maviri nevasere.
  12444. Neh 7:23 Vana vaBhezai, mazana matatu nemakumi maviri nevana.
  12445. Neh 7:24 Vana vaHarifi, zana negumi nevaviri.
  12446. Neh 7:25 Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe nevashanu.
  12447. Neh 7:26 Varume veBheterehemu neNetofa, zana nemakumi masere nevasere.
  12448. Neh 7:27 Varume veAnatoti, zana nemakumi maviri nevasere.
  12449. Neh 7:28 Varume veBheti-Azimavheti, makumi mana nevaviri.
  12450. Neh 7:29 Varume veKiriati-Jearimi, Kefira, neBheeroti, mazana manomwe nemakumi mana nevatatu.
  12451. Neh 7:30 Varume veRama neGebha, mazana matanhatu nemakumi maviri neumwe.
  12452. Neh 7:31 Varume veMikimasi, zana nemakumi maviri nevaviri.
  12453. Neh 7:32 Varume veBheteri neAi, zana nemakumi maviri nevatatu.
  12454. Neh 7:33 Varume verimwe Nebho, makumi mashanu nevaviri.
  12455. Neh 7:34 Vana verimwe Erami, churu nemazana maviri nemakumi mashanu nevana.
  12456. Neh 7:35 Vana vaHarimi, mazana matatu nemakumi maviri.
  12457. Neh 7:36 Vana veJeriko, mazana matatu nemakumi mana nevashanu.
  12458. Neh 7:37 Vana veRodhi, Hadhidhi, neOno, mazana manomwe nemakumi maviri neumwe.
  12459. Neh 7:38 Vana veSenaa, zvuru zvitatu nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu.
  12460. Neh 7:39 Vapristi: Vana vaJedhaya, veimba yaJeshuwa, mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevatatu.
  12461. Neh 7:40 Vana veImeri, churu nemakumi mashanu nevaviri.
  12462. Neh 7:41 Vana vaPashuri, churu nemazana maviri nemakumi mana nevanomwe.
  12463. Neh 7:42 Vana vaHarimi, churu chimwe negumi nevanomwe.
  12464. Neh 7:43 VaRevhi: Vana vaJeshuwa waKadhimieri wevana vaHodhevha, makumi manomwe nevana.
  12465. Neh 7:44 Vaimbi: Vana vaAsafi, zana nemakumi mana nevasere.
  12466. Neh 7:45 Varindi vemikova: Vana vaSharumi, vana vaAteri, vana vaTarimoni, vana vaAkubhi, vana vaHatita, vana vaShobhayi, zana nemakumi matatu nevasere.
  12467. Neh 7:46 VaNetinimi: Vana vaZiha, vana vaHasufa, vana vaTabhaoti,
  12468. Neh 7:47 vana vaKerosi, vana vaSiya, vana vaPadhoni,
  12469. Neh 7:48 vana vaRebhana, vana vaHagabha, vana vaSharimai,
  12470. Neh 7:49 vana vaHanani, vana vaGidheri, vana vaGahari,
  12471. Neh 7:50 vana vaReaya, vana vaRezini, vana vaNekodha,
  12472. Neh 7:51 vana vaGazami, vana vaUza, vana vaPaseya,
  12473. Neh 7:52 vana vaBhesai, vana vaMeunimi, vana vaNefushesimi,
  12474. Neh 7:53 vana vaBhakibhuki, vana vaHakufa, vana vaHarihuri,
  12475. Neh 7:54 vana vaBhazeriti, vana vaMehidha, vana vaHarisha,
  12476. Neh 7:55 vana vaBharikosi, vana vaSisera, vana vaTama,
  12477. Neh 7:56 vana vaNeziya, vana vaHatifa.
  12478. Neh 7:57 Vana vevaranda vaSoromoni: Vana vaSotai, vana vaSofereti, vana vaPeridha,
  12479. Neh 7:58 vana vaJaara, vana vaDharikoni, vana vaGidheri,
  12480. Neh 7:59 vana vaShefatiya, vana vaHatiri, vana vaPokereti waHazebhaimi, vana vaAmoni.
  12481. Neh 7:60 VaNetinimi vose nevana vevaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri.
  12482. Neh 7:61 Zvino ava ndivo vakakwira kubva Teri-Mera, Teri-Harisha, Kerubhi, Adhoni, neImeri; asi vaiva vasingagoni kududza imba yemadzibaba avo kana mbeu yavo kana kuti vaibva kwaIsraeri.
  12483. Neh 7:62 Vana vaDheraya, vana vaTobhiya, vana vaNekodha, mazana matanhatu nemakumi mana nevaviri.
  12484. Neh 7:63 Nepavapristi: Vana vaHobhaya, vana vaHakozi, vana vaBharizirai, avo vakawana kuvakunda vaBharizirai muGiriyadhi kuva mukadzi, akazotumidzwa nezita ravo.
  12485. Neh 7:64 Ava vakatsvaka kunyorwa kwavo, vaiverengwa nemarudzi, asi havana kukuwana; naizvozvo vaiva sevakasvibiswa vakabviswa paupristi.
  12486. Neh 7:65 Zvino mutongi wakati kwavari kuti vasadya pazvinhu zvitsvene-tsvene kusvika kwasimuka mupristi ane Urimi neTumimi.
  12487. Neh 7:66 Ungano yose pamwe chete yaiva zvuru makumi mana nezviviri nemazana matatu nemakumi matanhatu,
  12488. Neh 7:67 kusingaverengwi varanda vavo nevarandakadzi vavo; avo vaiva zvuru zvinomwe nemazana matatu nemakumi matatu nevanomwe, uye vaiva nevaimbi nevaimbikadzi mazana maviri nemakumi mana nevashanu.
  12489. Neh 7:68 Mabhiza avo aiva mazana manomwe nemakumi matatu nematanhatu; nemahesera avo mazana maviri nemakumi mana nemashanu;
  12490. Neh 7:69 makamera, mazana manomwe nemakumi matatu nemashanu; mbongoro zvuru zvitanhatu nemazana manomwe nemakumi maviri.
  12491. Neh 7:70 Zvino vamwe vemisoro yemadzibaba vakapa kubasa. Mutongi wakapa kuzvinokosha madariki egoridhe churu, mbiya makumi mashanu, nguvo refu dzevapristi mazana mashanu nemakumi matatu.
  12492. Neh 7:71 Zvino vamwe vemisoro yemadzibaba vakapa kuzvinokosha zvebasa madariki egoridhe zvuru makumi maviri, nemapaundi esirivha zvuru zviviri nemazana maviri.
  12493. Neh 7:72 Neizvo vamwe vevanhu zvavakapa zvaiva madariki egoridhe zvuru makumi maviri, nemapaundi esirivha zvuru zviviri, nenguvo refu dzevapristi makumi matanhatu nenomwe.
  12494. Neh 7:73 Zvino vapristi nevaRevhi nevarindi vemikova nevaimbi nevamwe vevanhu nevaNetinimi naIsraeri wose vakagara pamaguta avo. Mwedzi wechinomwe wakati wasvika, vana vaIsraeri vaiva vava mumaguta avo.
  12495. Neh 8:1 Zvino vanhu vose vakaungana semunhu umwe padare riri pamberi pesuwo remvura; ndokutaura kuna Ezira munyori kuti auye nebhuku remurairo waMozisi, Jehovha waakaraira Israeri.
  12496. Neh 8:2 Zvino Ezira mupristi wakauya nemurairo pamberi peungano, kubva kumunhurume kusvika kumunhukadzi, newose anonzwisisa kunzwa, nezuva rekutanga remwedzi wechinomwe.
  12497. Neh 8:3 Zvino wakaverengamo pamberi pedare raiva pamberi pesuwo remvura, kubva pakuchena kwezuva kusvika masikati makuru, pamberi pevanhurume nevanhukadzi nevanonzwisisa; uye nzeve dzevanhu vose dzaiva pabhuku remurairo.
  12498. Neh 8:4 Zvino Ezira munyori wakamira panzvimbo yakakwirira yemapuranga yavaiva vaitira nyaya iyo; uye parutivi rwake paiva pakamira Matitiya, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikiya naMaaseya, kurudyi rwake; uye kuruboshwe rwake Pedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, Zekariya, Meshurami.
  12499. Neh 8:5 Ezira ndokuzarura bhuku pamberi pemeso evanhu vose; nokuti waiva pamusoro pevanhu vose; uye paakazarura vanhu vose vakasimuka.
  12500. Neh 8:6 Zvino Ezira wakarumbidza Jehovha Mwari mukuru. Vanhu vose ndokupindura vachiti: Ameni, Ameni, nekusimudza maoko avo; ndokukotama ndokunamata Jehovha zviso zviri pasi.
  12501. Neh 8:7 Zvino Jeshuwa, naBhani, naSherebhiya, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azariya, Jozabhadhi, Hanani, Peraya, nevaRevhi, vakaita kuti vanhu vanzwisise murairo; vanhu vari panzvimbo yavo.
  12502. Neh 8:8 Saizvozvo vakaverenga mubhuku pamurairo waMwari nekududzirwa, vakatsanangura, vakaita kuti vanzwisise pakuverenga.
  12503. Neh 8:9 Zvino Nehemiya, waiva mutongi, naEzira mupristi, munyori, nevaRevhi vaidzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose: Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musarira kana kuchema misodzi; nokuti vanhu vose vakachema misodzi pakunzwa kwavo mashoko emurairo.
  12504. Neh 8:10 Zvino wakati kwavari: Endai, mudye zvakakora, uye munwe zvinotapira, uye mutumire migove kune avo vasina kugadzirirwa chinhu, nokuti zuva rino idzvene kuna Ishe wedu; uye musashungurudzika, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.
  12505. Neh 8:11 Zvino vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti: Nyararai, nokuti zuva rino idzvene; uye musashungurudzika.
  12506. Neh 8:12 Zvino vanhu vose vakaenda kunodya nekunonwa, nekunotumira migove, nekuita mufaro mukuru; nokuti vaiva vanzwisisa maererano nemashoko avakavazivisa.
  12507. Neh 8:13 Zvino pazuva rechipiri kwakaungana misoro yemadzibaba evanhu vose, vapristi nevaRevhi, kuna Ezira munyori, kuzonzwisisawo mashoko emurairo.
  12508. Neh 8:14 Zvino vakawana kwakanyorwa mumurairo Jehovha waakaraira neruoko rwaMozisi, kuti vana vaIsraeri vanofanira kugara mumatumba pamutambo pamwedzi wechinomwe;
  12509. Neh 8:15 uye kuti vanzwise nekupfuudza danidziro kumaguta avo ose nepaJerusarema vachiti: Budirai kugomo munotora matavi emiorivhi, nematavi emiorivhi yemusango, nematavi emimirite, nematavi emichindwe, nematavi emiti mikobvu, kuita matumba sezvakanyorwa.
  12510. Neh 8:16 Naizvozvo vanhu vakabuda, ndokuuya nawo, ndokuzviitira matumba, umwe neumwe pamusoro pedenga reimba yake, nepazvivanze zvavo, nepazvivanze zveimba yaMwari, nepadare resuwo remvura, nepadare resuwo raEfuremu.
  12511. Neh 8:17 Zvino ungano yose yevakadzoka pakutapwa vakaita matumba, ndokugara mumatumba; nokuti kubva pamazuva aJeshuwa mwanakomana waNuni kusvika pazuva iro, vana vaIsraeri vaiva vasina kuita saizvozvo. Zvino pakava nemufaro mukuru kwazvo.
  12512. Neh 8:18 Uye zuva nezuva kubva pazuva rekutanga kusvika pazuva rekupedzisira wakaverenga pabhuku remurairo waMwari. Zvino vakaita mutambo mazuva manomwe; uye pazuva rerusere kwakava neungano yakadzama zvichienderana nechimiso.
  12513. Neh 9:1 Zvino pazuva remakumi maviri nemana remwedzi uyu vana vaIsraeri vakaungana nekutsanya, uye vane masaga, nevhu pamusoro pavo.
  12514. Neh 9:2 Zvino mbeu yaIsraeri yakazviparadzanisa nevana vevatorwa vose, ndokumira ndokureurura zvivi zvavo nekuipa kwemadzibaba avo.
  12515. Neh 9:3 Zvino vakasimuka panzvimbo yavo ndokuverenga mubhuku remurairo waJehovha Mwari wavo chikamu chechina chezuva; uye chimwe chikamu chechina vakareurura nekunamata kuna Jehovha Mwari wavo.
  12516. Neh 9:4 Zvino kwakasimuka pamutanho wevaRevhi, Jeshuwa, naBhani, Kadhimieri, Shebhaniya, Bhuni, Sherebhiya, Bhani, Kenani; ndokudanidzira nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.
  12517. Neh 9:5 Zvino vaRevhi, Jeshuwa, naKadhimieri, Bhani, Hashabheneya, Sherebhiya, Hodhiya, Shebhaniya, Petahiya, vakati: Simukai, murumbidze Jehovha Mwari wenyu kubva pane rekusingaperi kusvika pane rekusingaperi, uye ngarirumbidzwe zita renyu rinokudzwa, rinosimudzwa pamusoro peropafadzo yose nerumbidzo.
  12518. Neh 9:6 Ndimwi muri Jehovha moga; imwi makaita matenga, matenga ematenga, nehondo dzawo dzose, nyika nezvose zviri mukati mayo, makungwa nezvose zviri mukati mawo; uye imwi munozvichengetedza zvose; uye hondo yematenga inokunamatai.
  12519. Neh 9:7 Imwi muri Jehovha Mwari wakasarudza Abhuramu, mukamubudisa kubva paUri revaKaradhiya, ndokuita zita rake rive Abhurahama;
  12520. Neh 9:8 ndokuwana moyo wake wakatendeka pamberi penyu, ndokuita sungano naye kumupa nyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, nevaPerezi, nevaJebhusi, nevaGirigashi, kuti mupe kumbeu yake; uye makamisa mashoko enyu nokuti makarurama.
  12521. Neh 9:9 Zvino makaona kutambudzika kwemadzibaba edu paEgipita, ndokunzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku;
  12522. Neh 9:10 uye makaratidza zviratidzo nezvishamiso pana Farao nepavaranda vake vose nepavanhu vose venyika yake; nokuti makaziva kuti vakavaitira nekuzvikukumadza. Saizvozvo makazviitira zita sanhasi.
  12523. Neh 9:11 Zvino makapamura gungwa pamberi pavo zvekuti vakapfuura nepakati pegungwa nepavhu rakaoma, uye vadzingiriri vavo makavakanda makadzika, sebwe mumvura ine simba.
  12524. Neh 9:12 Zvino makavatungamirira pamasikati neshongwe yegore uye pausiku neshongwe yemoto, kuvapa chiedza panzira yavaizofamba nayo.
  12525. Neh 9:13 Zvino makaburuka pamusoro pegomo reSinai ndokutaura navo muri mumatenga, uye makapa kwavari mitongo yakarurama, nemirairo yechokwadi, zvimiso zvakanaka nemitemo.
  12526. Neh 9:14 Zvino makazivisa kwavari sabata renyu dzvene, uye makavaraira mirairo, nezvimiso, nemutemo, neruoko rwaMozisi muranda wenyu.
  12527. Neh 9:15 Zvino makavapa chingwa kubva kumatenga panzara yavo, ndokuvabudisira mvura kubva pabwe panyota yavo, ndokuvavimbisa kuti vachapinda kunogara nhaka yenyika yamakasimudzira ruoko rwenyu kuvapa.
  12528. Neh 9:16 Asi ivo nemadzibaba edu vakaita nekuzvikukumadza, ndokuomesa mutsipa wavo, ndokusateerera kumirairo yenyu.
  12529. Neh 9:17 Hongu, vakaramba kuteerera, uye havana kurangarira zvishamiso zvenyu zvamakaita kwavari, ndokuomesa mutsipa wavo, ndokugadza mutungamiriri kudzokera kuutapwa hwavo pakumukira kwavo. Asi imwi muri Mwari wekukanganwira kuzhinji, mune nyasha, netsitsi, munononoka kutsamwa, uye mune ngoni huru; uye hamuna kuvasiya.
  12530. Neh 9:18 Uye pavaiva vazviitira mhuru yakaumbwa nekunyungundusa ndokuti: Uyu ndiMwari wenyu wakakukwidzai kubva muEgipita, vakaita kuzvidza kwakawanda kukuru;
  12531. Neh 9:19 zvakadaro imwi mutsitsi dzenyu dzakawandisa hamuna kuvasiya murenje; shongwe yegore haina kubva pamusoro pavo pamasikati kuvatungamirira panzira, kana shongwe yemoto pausiku kuvaratidza chiedza, uye nzira yavaizofamba nayo.
  12532. Neh 9:20 Makapawo mweya wenyu wakanaka kuvaraira, uye hamuna kunyima mana yenyu pamuromo wavo, uye makavapa mvura yenyota yavo.
  12533. Neh 9:21 Hongu, makore makumi mana makavariritira murenje; havana kushaiwa; nguvo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.
  12534. Neh 9:22 Makavapawo ushe hwakawanda nemarudzi, uye makavagovera kusvika kumakona, kuti vagare nhaka yenyika yaSihoni, nenyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.
  12535. Neh 9:23 Zvino makawanza vana vavo senyeredzi dzekumatenga; ndokuvapinza munyika yamakavimbisa kumadzibaba avo kuti vachapinda kunoigara nhaka.
  12536. Neh 9:24 Saizvozvo vana vakapinda ndokugara nhaka yenyika; uye imwi makawisira pasi vagari venyika iyo pamberi pavo, vaKenani; uye makavapa muruoko rwavo, pamwe nemadzimambo avo, nevanhu venyika iyo, kuti vaite navo zvichienderana nechido chavo.
  12537. Neh 9:25 Zvino vakatapa maguta akashoshewa nenyika yakakora ndokugara nhaka yedzimba dzakazara nezvakanaka zvose, matsime akacherwa, minda yemizambiringa, neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda yemichero; naizvozvo vakadya, uye vakaguta, ndokukora, ndokuzvifadza mukunaka kwenyu kukuru.
  12538. Neh 9:26 Zvakadaro vakava vasingateereri, ndokukumukirai, ndokukanda murairo wenyu kumashure kwemusana wavo, ndokuuraya vaporofita venyu vaipupura vachivapikisa, kuti vavadzose kwamuri, ndokuita kuzvidza kwakawanda kukuru.
  12539. Neh 9:27 Naizvozvo makavapa muruoko rwevavengi vavo avo vakavatambudza. Zvino munguva yedambudziko ravo vakachema kwamuri, imwi makanzwa muri kumatenga, uye zvichienderana nengoni dzenyu zhinji makavapa vaponesi, ivo ndokuvaponesa kubva muruoko rwevavengi vavo.
  12540. Neh 9:28 Asi pavaiva vazorora, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu; naizvozvo makavasiya muruoko rwevavengi vavo kusvika vavatonga; zvino vakadzoka vakadana kwamuri, imwi mukanzwa muri kumatenga, uye makavanunura zvichienderana nengoni dzenyu nguva zhinji.
  12541. Neh 9:29 Zvino makavapupurira, kuti muvadzosere kumurairo wenyu, asi ivo vakaita nekuzvikukumadza, uye havana kuteerera kumirairo yenyu, uye vakatadzira mitongo yenyu (izvo munhu anozviita achararama nazvo), vakapa fudzi rinovhinyuka, uye vakaomesa mutsipa wavo, uye havana kuteerera.
  12542. Neh 9:30 Zvakadaro makavaitira moyo murefu makore mazhinji, ndokuvapupurira nemweya wenyu neruoko rwevaporofita venyu, zvakadaro havana kupa nzeve. Naizvozvo makavapa muruoko rwevanhu venyika idzo.
  12543. Neh 9:31 Zvakadaro netsitsi dzenyu zhinji hamuna kuvapedza, uye hamuna kuvasiya, nokuti imwi muri Mwari ane nyasha netsitsi.
  12544. Neh 9:32 Naizvozvo ikozvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, uye anotyisa, anochengetedza sungano netsitsi, kutambudzika kwedu kose kwatiwana, isu, madzimambo edu, machinda edu, nevapristi vedu, nevaporofita vedu, nemadzibaba edu, nevanhu venyu vose, kubva pamazuva emadzimambo eAsiriya kusvika nhasi, ngakurege kuita sechinhu chidiki pamberi penyu.
  12545. Neh 9:33 Asi imwi makarurama maererano nezvose zvakatiwira, nokuti makaita chokwadi, asi isu takaita zvakaipa.
  12546. Neh 9:34 Uye madzimambo edu, machinda edu, vapristi vedu, nemadzibaba edu, havana kuita murairo wenyu, uye havana kuteerera kumitemo yenyu, nekuzvipupuriro zvenyu zvamakavapupurira.
  12547. Neh 9:35 Nokuti avo havana kukushumirai paushe hwavo, uye pakunaka kwenyu kukuru kwamakavapa, uye panyika yakafaranuka uye yakakora yamakapa pamberi pavo, uye havana kutendeuka pamabasa avo akaipa.
  12548. Neh 9:36 Tarirai, tiri varanda nhasi, uye nyika yamakapa madzibaba edu, kuti vadye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo, tarirai, tiri varanda mairi.
  12549. Neh 9:37 Zvino goho rayo makariwanzira madzimambo amakaisa pamusoro pedu nekuda kwezvivi zvedu; uye anotonga pamusoro pemiviri yedu nepamusoro pezvipfuwo zvedu pamadiro avo, uye tiri pakushungurudzika kukuru.
  12550. Neh 9:38 Zvino nekuda kweizvi zvose tinoita sungano yakasimba, uye tichiinyora; machinda edu, vaRevhi vedu, vapristi vedu ndokuisa chidhindo pamusoro payo.
  12551. Neh 10:1 Zvino pakudhinda paiva naNehemiya mutongi, mwanakomana waHakariya, naZedhekia,
  12552. Neh 10:2 Seraya, Azariya, Jeremiya,
  12553. Neh 10:3 Pashuri, Amariya, Marikiya,
  12554. Neh 10:4 Hatushi, Shebhaniya, Maruki,
  12555. Neh 10:5 Harimi, Meremoti, Obhadhiya,
  12556. Neh 10:6 Dhaniyeri, Ginetoni, Bharuki,
  12557. Neh 10:7 Meshurami, Abhiya, Mijamini,
  12558. Neh 10:8 Maaziya, Bhirigai, Shemaya. Ava vaiva vapristi.
  12559. Neh 10:9 NevaRevhi: Vose Jeshuwa mwanakomana waAzaniya, Bhinui, wevanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri.
  12560. Neh 10:10 Nehama dzavo: Shebhaniya, Hodhiya, Kerita, Peraya, Hanani,
  12561. Neh 10:11 Mika, Rehobhi, Hashabhiya,
  12562. Neh 10:12 Zakuri, Sherebhiya, Shebhaniya,
  12563. Neh 10:13 Hodhiya, Bhani, Bheninu.
  12564. Neh 10:14 Misoro yevanhu: Paroshi, Pahati-Moabhi, Erami, Zatu, Bhani,
  12565. Neh 10:15 Bhuni, Azigadhi, Bhebhayi,
  12566. Neh 10:16 Adhoniya, Bhigivhayi, Adhini,
  12567. Neh 10:17 Ateri, Hezekia, Azuri,
  12568. Neh 10:18 Hodhiya, Hashumi, Bhezai,
  12569. Neh 10:19 Harifi, Anatoti, Nebhai,
  12570. Neh 10:20 Magipiashi, Meshurami, Heziri,
  12571. Neh 10:21 Meshezabheri, Zadhoki, Jadhua,
  12572. Neh 10:22 Peratiya, Hanani, Anaya,
  12573. Neh 10:23 Hosheya, Hananiya, Hashubhi,
  12574. Neh 10:24 Haroheshi, Piriha, Shobheki,
  12575. Neh 10:25 Rehumi, Hashabhina, Maaseya,
  12576. Neh 10:26 naAhiya, Hanani, Anani,
  12577. Neh 10:27 Maruki, Harimi, Bhaana.
  12578. Neh 10:28 Zvino vakasara pavanhu, vapristi, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi, VaNetinimi, nevose vaiva vazvitsaurira murairo waMwari kubva pavanhu venyika idzo, vakadzi vavo, vanakomana vavo, nevakunda vavo, umwe neumwe waiziva wainzwisisa,
  12579. Neh 10:29 vakabatirira kuhama dzavo, vakuru vavo, ndokupinda muchakatukwa nepamhiko, kuti vafambe mumurairo waMwari wakapiwa neruoko rwaMozisi muranda waMwari, nekuchengetedza nekuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nemitongo yake nezvimiso zvake;
  12580. Neh 10:30 uye kuti hatingapi vakunda vedu kuvanhu venyika iyo, uye hatingatoreri vanakomana vedu vakunda vavo.
  12581. Neh 10:31 Kana vanhu venyika vakauya nenhumbi kana zviyo zvipi nezvipi nezuva resabata kuzotengesa, hatina kutenga kwavari nesabata kana nezuva dzvene. Uye ticharega gore rechinomwe, nechikwereti cheruoko rwumwe nerwumwe.
  12582. Neh 10:32 Uye tichamisa patiri mirairo, kuisa patiri chetatu cheshekeri pagore, chive chebasa reimba yaMwari wedu,
  12583. Neh 10:33 chechingwa chekuratidzira, nechechipo chechidyiwa chemazuva ose, nechechipo chinopiswa chemazuva ose, chemasabata, chekugara kwemwedzi, chemitambo yakatarwa, nechezvitsvene, nechezvipo zvechivi, kuitira Israeri chiyananiso, nechebasa rose reimba yaMwari wedu.
  12584. Neh 10:34 Zvino isu, vapristi, vaRevhi, nevanhu, takakanda mijenya pamusoro pechipo chehuni, kuuya nacho muimba yaMwari wedu, zvichienderana neimba yemadzibaba edu, panguva dzakatarwa gore negore, kupisa paaritari yaJehovha Mwari wedu, sezvakanyorwa pamurairo;
  12585. Neh 10:35 nekuuya nezvibereko zvekutanga zvevhu redu nezvibereko zvekutanga zvemichero yose yemiti yose gore negore kuimba yaJehovha;
  12586. Neh 10:36 nematangwe evanakomana vedu neezvipfuwo zvedu, sezvakanyorwa mumurairo, nematangwe emombe dzedu nemakwai edu, kuuisa kuimba yaMwari wedu, kuvapristi vanoshumira muimba yaMwari wedu;
  12587. Neh 10:37 uye zvekutanga zveupfu hwedu, nezvipo zvedu, nezvibereko zvemiti yose, zvewaini itsva uye zvemafuta, tiuye nazvo kumupristi mumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zvevhu redu kuvaRevhi, kuti vaRevhi ivavo vagamuchire chegumi kumaguta ose ebasa redu.
  12588. Neh 10:38 Zvino mupristi mwanakomana waAroni achava nevaRevhi, vaRevhi pavachatora zvegumi. Zvino vaRevhi vachakwidza chegumi chechegumi kuimba yaMwari wedu kumakamuri eimba yezvinokosha.
  12589. Neh 10:39 Nokuti vana vaIsraeri nevana vaRevhi vachauya nechipo chezviyo, chewaini itsva, nemafuta, kumakamuri, nokuti imo mune midziyo yeimba tsvene, nevapristi vanoshanda, nevarindi vemikova, nevaimbi. Zvino hatingasii imba yaMwari wedu.
  12590. Neh 11:1 Zvino vatongi vevanhu vakagara paJerusarema; vakasara pavanhu ndokukanda mijenya, kuunza umwe pagumi kuti agare muJerusarema guta dzvene, uye zvikamu zvipfumbamwe kune [amwe] maguta.
  12591. Neh 11:2 Zvino vanhu vakaropafadza varume vose vakazvipira nechido kunogara muJerusarema.
  12592. Neh 11:3 Zvino iyi ndiyo misoro yedunhu yakagara muJerusarema; asi mumaguta aJudha makagara umwe neumwe panzvimbo yake pamaguta avo, Israeri, vapristi, nevaRevhi, nevaNetinimi, nevana vevaranda vaSoromoni.
  12593. Neh 11:4 Zvino paJerusarema pakagara vamwe vevana vaJudha, nevevana vaBhenjamini. Pavana vaJudha: Ataya mwanakomana waUziya mwanakomana waZekariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waShefatiya mwanakomana waMahararieri wevana vaPerezi;
  12594. Neh 11:5 naMaaseya mwanakomana waBharuki mwanakomana waKori-Hoze mwanakomana waHazaya mwanakomana waAdhaya mwanakomana waJoyaribhi mwanakomana waZekariya mwanakomana waShironi.
  12595. Neh 11:6 Vanakomana vose vaPerezi vakagara paJerusarema vaiva mazana mana nemakumi matanhatu nevasere, varume veumhare.
  12596. Neh 11:7 Zvino ava vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami mwanakomana waJoedhi mwanakomana waPedhaya mwanakomana waKoraya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waItieri mwanakomana waJeshaya.
  12597. Neh 11:8 Zvino shure kwake Gabhai, Sarai, mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevasere.
  12598. Neh 11:9 NaJoweri mwanakomana waZikiri waiva mutariri pamusoro pavo; naJudha mwanakomana waHasenuwa waiva wepiri pamusoro peguta.
  12599. Neh 11:10 Pavapristi: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi, Jakini,
  12600. Neh 11:11 Seraya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshurami mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhi, mutungamiriri weimba yaMwari.
  12601. Neh 11:12 Nehama dzavo dzaiita basa reimba iyo, mazana masere nemakumi maviri nevaviri. NaAdhaya mwanakomana waJerohami mwanakomana waPeraira mwanakomana waAmizi mwanakomana waZekariya mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya.
  12602. Neh 11:13 Nehama dzake, misoro yemadzibaba, mazana maviri nemakumi mana nevaviri. NaAmashisayi mwanakomana waAzareeri mwanakomana waAzai mwanakomana waMeshiremoti mwanakomana waImeri.
  12603. Neh 11:14 Nehama dzavo, varume vane simba veumhare, zana nemakumi maviri nevasere. Uye mutariri pamusoro pavo waiva Zabhidhieri mwanakomana wavakuru.
  12604. Neh 11:15 Uye pavaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi mwanakomana waAzirikamu mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waBhuni.
  12605. Neh 11:16 NaShabhetai naJozabhadhi vari vemisoro yevaRevhi pamusoro pebasa rekunze reimba yaMwari.
  12606. Neh 11:17 NaMataniya mwanakomana waMika mwanakomana waZabhidhi mwanakomana waAsafi, mukuru wekutanga kuvonga pamunyengetero; naBhakibhukiya, wepiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.
  12607. Neh 11:18 VaRevhi vose paguta dzvene vaiva mazana maviri nemakumi masere nevana.
  12608. Neh 11:19 Uye varindi vemikova, Akubhi, Tarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vaiva zana nemakumi manomwe nevaviri.
  12609. Neh 11:20 Nevasiiwa vaIsraeri, vapristi, vaRevhi, vaiva pamaguta ose aJudha; umwe neumwe panhaka yake.
  12610. Neh 11:21 Asi VaNetinimi vakagara paOferi; uye Ziha naGishipa vaiva pamusoro pevaNetinimi.
  12611. Neh 11:22 Mutaririwo wevaRevhi paJerusarema waiva Uzi mwanakomana waBhani mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waMataniya mwanakomana waMika. Pavanakomana vaAsafi, vaimbi vaiva pamusoro pebasa reimba yaMwari.
  12612. Neh 11:23 Nokuti waiva murairo wamambo maererano navo, murau wakasimba kuvaimbi, nyaya yezuva nezuva rayo.
  12613. Neh 11:24 NaPetahiya mwanakomana waMeshazabheeri, wevana vaZera mwanakomana waJudha, waiva paruoko rwamambo panyaya yose yevanhu.
  12614. Neh 11:25 Nepamisha nekuruwa rwayo, pavana vaJudha vakagara paKiriyati-Aribha nemisha yaro, nepaDhibhoni nemisha yaro, nepaJekabhizeeri nemisha yaro,
  12615. Neh 11:26 nepaJeshuwa, nepaMoradha, nepaBheti-Pereti,
  12616. Neh 11:27 nepaHazari-Shuari, nepaBheeri-Shebha nemisha yaro,
  12617. Neh 11:28 nepaZikiragi, nepaMekona, nepamisha yaro,
  12618. Neh 11:29 nepaEni-Rimoni, nepaZora, nepaJarimuti,
  12619. Neh 11:30 Zanowa, Adhurami, nemisha yawo, Rakishi neruwa rwaro, Azeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa kubva paBheeri-Shebha kusvika pamupata weHinomi.
  12620. Neh 11:31 Nevana vaBhenjamini kubva paGebha, Mikimashi, neAiya, neBheteri nemisha yawo,
  12621. Neh 11:32 Anatoti, Nobhi, Ananiya,
  12622. Neh 11:33 Hazori, Rama, Gitaimi,
  12623. Neh 11:34 Hadhidhi, Zebhoimi, Nebharati,
  12624. Neh 11:35 Rodhi, neOno, mupata wedzimhizha.
  12625. Neh 11:36 NepavaRevhi mapoka aJudha, neaBhenjamini.
  12626. Neh 12:1 Zvino ava vapristi nevaRevhi vakakwira naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshuwa: Seraya, Jeremiya, Ezira,
  12627. Neh 12:2 Amariya, Maruki, Hatushi,
  12628. Neh 12:3 Shekaniya, Rehumi, Meremoti,
  12629. Neh 12:4 Idho, Ginetoi, Abhiya,
  12630. Neh 12:5 Mijamini, Maadhiya, Bhiriga,
  12631. Neh 12:6 Shemaya, naJoyaribhi, Jedhaya,
  12632. Neh 12:7 Saru, Amoki, Hirikiya, Jedhaya. Ava misoro yevapristi neyehama dzavo pamazuva aJeshuwa.
  12633. Neh 12:8 Uye vaRevhi: Jeshuwa, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, Mataniya, vaiva pamusoro pekuvonga, iye nehama dzake.
  12634. Neh 12:9 NaBhakibhukiya, naUni, hama dzavo, vakatarisana navo pazvirindo.
  12635. Neh 12:10 Zvino Jeshuwa wakabereka Joyakimu; Joyakimu ndokubereka Eriashibhi; Eriashibhi ndokubereka Joyadha;
  12636. Neh 12:11 Joyadha ndokubereka Jonatani; Jonatani ndokubereka Jadhuwa.
  12637. Neh 12:12 Zvino pamazuva aJoyakimu vapristi, misoro yemadzibaba, vaiva: WekwaSeraya, Meraya; wekwaJeremiya, Hananiya;
  12638. Neh 12:13 wekwaEzira, Meshurami; wekwaAmariya, Jehohanani;
  12639. Neh 12:14 wekwaMaruki, Jonatani; wekwaShebhaniya, Josefa;
  12640. Neh 12:15 wekwaHarimi, Adhina; wekwaMerayoti, Herikai;
  12641. Neh 12:16 wekwaIdho, Zekariya; wekaGinetoni, Meshurami;
  12642. Neh 12:17 wekwaAbhiya, Zikiri; wekwaMiniyamini, wekwaMoadhiya, Piritai;
  12643. Neh 12:18 wekwaBhiriga, Shamuwa; wekwaShemaya, Jehonatani;
  12644. Neh 12:19 uye wekwaJoyaribhi, Matenai; wekwaJedhaya, Uzi;
  12645. Neh 12:20 wekwaSarai, Karai; wekwaAmoki, Ebheri;
  12646. Neh 12:21 wekwaHirikiya, Hashabhiya; wekwaJedhaya, Netaneri.
  12647. Neh 12:22 VaRevhi pamazuva aEriashibhi, Joyadha, naJohwanani, naJadhuwa, vakanyorwa vakava misoro yemadzibaba, nevapristi kusvika pava paushe hwaDhariyasi muPerisiya.
  12648. Neh 12:23 Vanakomana vaRevhi, misoro yemadzibaba, vakanyorwa pabhuku reMakoronike kusvika pamazuva aJohwanani mwanakomana waEriashibhi.
  12649. Neh 12:24 Nemisoro yevaRevhi: Hashabhiya, Sherebhiya, naJeshuwa mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo, kurumbidza, kuvonga, zvichienderana nemurairo waDhavhidhi munhu waMwari, chirindo chakatarisana nechirindo.
  12650. Neh 12:25 Mataniya, naBhakibhukiya, Obhadhiya, Meshurami, Tarimoni, Akubhi vaiva varindi vemikova, vachirinda chirindo pamatura emasuwo.
  12651. Neh 12:26 Ava vaivako pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshuwa mwanakomana waJozadhaki, nepamazuva aNehemiya mutongi, naEzira mupristi munyori.
  12652. Neh 12:27 Zvino pakutsaura rusvingo rweJerusarema vakatsvaka vaRevhi kubva panzvimbo dzavo dzose kuuya navo kuJerusarema, kuzoita kutsaura nemufaro, uye nekuvonga uye nekuimba, makandira, mitengeranwa, uye nembira.
  12653. Neh 12:28 Zvino vanakomana vevaimbi vakaungana, zvose kubva kumapani akapoteredza Jerusarema nekubva kumisha yevaNetofati,
  12654. Neh 12:29 nekubva paBheti-Girigari, uye kubva pamaruwa eGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vaiva vazvivakira misha yakapoteredza Jerusarema.
  12655. Neh 12:30 Zvino vapristi nevaRevhi vakazvichenesa, ndokuchenesa vanhu, nemasuwo, nerusvingo.
  12656. Neh 12:31 Zvino ndakakwidza misoro yaJudha pamusoro perusvingo, ndokugadza mapoka makuru maviri kuvonga nemidungwe, kurudyi pamusoro perusvingo kusvika kusuwo remupfudze.
  12657. Neh 12:32 Zvino shure kwavo kwakafamba Hoshaya, nehafu yemisoro yaJudha,
  12658. Neh 12:33 naAzariya, Ezira, naMeshurami,
  12659. Neh 12:34 Judha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya.
  12660. Neh 12:35 Nepavanakomana vevapristi vane hwamanda: Zekariya mwanakomana waJonatani mwanakomana waShemaya mwanakomana waMataniya mwanakomana waMikaya mwanakomana waZakuri mwanakomana waAsafi.
  12661. Neh 12:36 Nehama dzake: Shemaya, naAzareri, Mirarai, Girarai, Maai, Netaneri, naJudha, Hanani, vane midziyo yekuimbisa yaDhavhidhi munhu waMwari, uye Ezira munyori waiva pamberi pavo.
  12662. Neh 12:37 Uye nepasuwo repachitubu nepakatarisana navo vakakwira nematanho eguta raDhavhidhi, pamukwidza werusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikawo pasuwo remvura kumabvazuva.
  12663. Neh 12:38 Neboka repiri rekuvonga rakafamba rakatarisana navo, neni ndichiritevera, uye hafu yevanhu pamusoro perusvingo, kubva pamusoro peshongwe yemavira emoto, kusvika parusvingo rwakapamhama,
  12664. Neh 12:39 uye kubva pamusoro pesuwo raEfuremu, nepamusoro pesuwo rekare, nepamusoro pesuwo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yeMeya, kusvika pasuwo remakwai, ndokumira pasuwo revarindi.
  12665. Neh 12:40 Mapoka ari maviri ekuvonga ndokumira muimba yaMwari, neni nehafu yevatariri ineni;
  12666. Neh 12:41 nevapristi Eriakimu, Maaseya, Miniyamini, Mikaya, Erioenai, Zekariya, Hananiya, vane hwamanda;
  12667. Neh 12:42 naMaaseya, naShemaya, naEriazari, naUzi, naJehohanani, naMarikiya, naErami, naEzeri. Zvino vaimbi vakaimbisa, vana Jezirahiya mutariri.
  12668. Neh 12:43 Zvino nezuva iro vakabaira zvibairo zvikuru ndokufara; nokuti Mwari waiva avafadza nemufaro mukuru; nevakadziwo nevana vakafara, kusvika mufaro weJerusarema wanzwikwa kure.
  12669. Neh 12:44 Zvino nezuva iro vamwe vakagadzwa pamusoro pemakamuri ezvinokosha, zvezvipo, zvezvezvibereko zvekutanga, uye zvezvegumi, kuunganidza maari zvinobva muminda yemaguta migove yemurairo yevapristi neyevaRevhi, nokuti Judha wakafarira vapristi nevaRevhi vaiva vamire.
  12670. Neh 12:45 Zvino vakachengeta faniro yaMwari wavo, nefaniro yekuchenesa, vose vaimbi nevarindi vemikova zvichienderana nemurairo waDhavhidhi naSoromoni mwanakomana wake.
  12671. Neh 12:46 Nokuti pamazuva aDhavhidhi naAsafi vevekare, kwaiva nemisoro yevaimbi uye rwiyo rwekurumbidza nekuvonga kuna Mwari.
  12672. Neh 12:47 Zvino Israeri wose pamazuva aZerubhabheri nepamazuva aNehemiya vaipa migove yevaimbi nevarindi vemikova, nyaya yezuva pazuva rayo; ndokutsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.
  12673. Neh 13:1 Nezuva iro kwakaverengwa mubhuku raMozisi munzeve dzevanhu; zvino mariri makawanikwa makanyorwa kuti vaAmoni nevaMoabhu havafaniri kupinda muungano yaMwari nekusingaperi;
  12674. Neh 13:2 nokuti havana kuchingura vana vaIsraeri nezvekudya uye nemvura, asi vakavahaira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu wakashandura chituko chikava ropafadzo.
  12675. Neh 13:3 Zvino zvakaitika pavakanzwa murairo kuti vakatsaura kubva kuna Israeri musanganiswa wose wendudzi.
  12676. Neh 13:4 Zvino pamberi peizvi Eriashibhi mupristi waiva aiswa kuva pamusoro pemakamuri eimba yaMwari wedu, achishamwaridzana naTobhiya.
  12677. Neh 13:5 Zvino waiva amugadzirira kamuri huru pavaimbochengetera chipo chechidyiwa, zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemidziyo, nezvegumi zvezviyo, waini itsva, nemafuta, zvaiva zvarairwa vaRevhi, nevaimbi, nevarindi vemikova, nechipo chevapristi.
  12678. Neh 13:6 Asi pane izvi zvose ndaiva ndisipo paJerusarema; nokuti pagore remakumi matatu nemaviri raAritakiserikisi mambo weBhabhironi, ndakauya kuna mambo; uye pakupera kwemazuva ndakakumbira tendero kuna mambo.
  12679. Neh 13:7 Ndokusvika kuJerusarema, ndokunzwisisa zvechakaipa Eriashibhi chaakaitira Tobhiya pakumuitira kamuri muzvivanze zveimba yaMwari.
  12680. Neh 13:8 Zvino zvakava zvakaipa zvikuru kwandiri; naizvozvo ndakakandira panze nhumbi dzose dzeimba yaTobhiya kunze kwekamuri.
  12681. Neh 13:9 Zvino ndakaraira, uye vakanatsa makamuri; ini ndokudzoserapo midziyo yeimba yaMwari pamwe nechipo chechidyiwa nezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  12682. Neh 13:10 Zvino ndakaziva kuti migove yevaRevhi yaiva isina kupiwa; naizvozvo vaRevhi nevaimbi vaiita basa vaiva vatizira umwe neumwe kumunda wake.
  12683. Neh 13:11 Zvino ndakapikisana nevatongi ndokuti: Sei imba yaMwari yasiiwa? Zvino ndakavaunganidza, ndokuvamisa panzvimbo yavo.
  12684. Neh 13:12 Zvino Judha wose wakauya nechegumi chezviyo nechewaini itsva nechemafuta kumatura.
  12685. Neh 13:13 Zvino ndakaisa vachengeti vematura pamusoro pematura, Sheremiya mupristi, naZadhoki munyori, naPedhaya pavaRevhi; uye parutivi rwavo Hanani mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMataniya; nokuti vaiverengwa vakatendeka; uye zvaiva pavari kugovera kuhama dzavo.
  12686. Neh 13:14 Ndirangarirei, Mwari wangu, maererano neichi, uye musadzima zviito zvangu zvakanaka zvandakaitira imba yaMwari wangu neshumiro dzayo.
  12687. Neh 13:15 Pamazuva iwawo ndakaona kwaJudha vaitsika chisviniro chewaini nesabata, uye vachipinza zvisote nekutakudza mbongoro, newainiwo, mazambiringa, nemaonde, nemitoro yemarudzi ose, zvavakapinza muJerusarema nezuva resabata. Zvino ndakapupura pazuva ravaitengesa zvekudya.
  12688. Neh 13:16 Paiva pagerewo mairi VaTire, vaiuya nehove, nenhumbi dzose, ndokutengesa nesabata kuvana vaJudha nepaJerusarema.
  12689. Neh 13:17 Zvino ndakapikisana nevakuru vaJudha, ndokuti kwavari: Chii chinhu ichi chakaipa chamunoita, muchisvibisa zuva resabata?
  12690. Neh 13:18 Madzibaba enyu haana kuita saizvozvo here, naMwari wedu akaunza pamusoro pedu zvakaipa zvose izvi nepamusoro pemusha uyu? Zvakadaro munowedzera kutsamwa pamusoro paIsraeri nekusvibisa sabata.
  12691. Neh 13:19 Zvino zvakaitika kuti masuwo eJerusarema paakatanga kusviba sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndokuraira kuti irege kuzarurwa kusvika shure kwesabata; uye kubva pavaranda vangu ndakaisa pamasuwo, kusapinda mutoro pazuva resabata.
  12692. Neh 13:20 Naizvozvo vashambadziri nevatengesi venhumbi dzose vakarara kunze kweJerusarema kamwe kana kaviri.
  12693. Neh 13:21 Zvino ndakavapupurira ndokuti kwavari: Munorarirei pakatarisana nerusvingo? Kana mukapamhidza, ndichabudisira ruoko pamusoro penyu. Kubva panguva iyo havana kuzouya nesabata.
  12694. Neh 13:22 Zvino ndakaraira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vauye kuzorinda masuwo, kuti vaite dzvene zuva resabata. Mundirangarire neizvi, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nekuwanda kwenyasha dzenyu.
  12695. Neh 13:23 Mumazuva iwawo ndakaonawo vaJudha vaiva vawana vakadzi VaAshidhodhikadzi, vaAmonikadzi, vaMoabhukadzi.
  12696. Neh 13:24 Zvino vana vavo, hafu vakataura chiAshidhodhi, uye vasingagoni kutaura chiJudha, asi nerurimi rwerudzi nerudzi.
  12697. Neh 13:25 Zvino ndakapikisana navo, ndokuvatuka, ndokurova vamwe vavo, ndokudzvura vhudzi ravo, ndokuvapikisa naMwari ndichiti: Hamungapi vakunda venyu kuvanakomana vavo, uye hamungatoreri vanakomana venyu kubva kuvakunda vavo, kana imwi pachenyu.
  12698. Neh 13:26 Soromoni mambo waIsraeri haana kutadza nezvinhu izvi here? Zvakadaro pakati pendudzi zhinji paiva pasina mambo wakaita saiye, naye waiva mudikanwa waMwari wake, Mwari ndokumuita mambo pamusoro paIsraeri wose; naiye vakadzi vatorwa vakamuita kuti atadze.
  12699. Neh 13:27 Zvino tingakuteererai kuita chinhu ichi chakaipa chikuru here, kutadzira Mwari wedu nekuwana vakadzi vatorwa?
  12700. Neh 13:28 Zvino umwe wevanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupristi mukuru waiva mukwasha waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
  12701. Neh 13:29 Varangarirei, Mwari wangu, nokuti vakasvibisa upristi nesungano yeupristi neyevaRevhi.
  12702. Neh 13:30 Saizvozvo ndakavanatsa pavatorwa vose, ndokumisa faniro dzevapristi nevaRevhi, umwe neumwe pabasa rake;
  12703. Neh 13:31 nepazvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nepazvibereko zvekutanga. Ndirangarirei, Mwari wangu, pazvakanaka
  12704. Est 1:1 Zvino zvakaitika pamazuva aAhasuwerusi, Ahasuwerusi uyu waitonga kubva paIndia kusvikawo paItiyopiya, matunhu zana nemakumi maviri nemanomwe;
  12705. Est 1:2 pamazuva iwawo mambo Ahasuwerusi paakagara pachigaro cheushe cheumambo hwake chaiva paShushani muzinda,
  12706. Est 1:3 pagore rechitatu rekutonga kwake, wakaitira misoro yake yose nevaranda vake mabiko. Simba rePerisiya neMedhiya, vakuru nemachinda ematunhu vaiva pamberi pake,
  12707. Est 1:4 paakaratidza fuma yekubwinya kweumambo hwake nerukudzo rwekunaka kweukuru hwake mazuva akawanda, mazuva zana nemakumi masere.
  12708. Est 1:5 Zvino mazuva awa paakazadzisika, mambo wakaitira mabiko vanhu vose vaivapo paShushani muzinda, kubva kumukuru kusvika kumudiki, mazuva manomwe, muchivanze chebindu remuzinda wamambo.
  12709. Est 1:6 Paiva nemicheka michena, micheka yakapfava, neyeruvara rwedenga, yakasungwa netambo dzemucheka wakapfava neyeruvara rwehute, pazvindori zvesirivha nembiru dzemabwe earibhasiteri. Mibhedha yaiva yegoridhe nesirivha pamusoro penzvimbo yakarongwa mabwe matsvuku, neearibhasiteri, neemaparera, nematema.
  12710. Est 1:7 Zvino vakapa kunwa mumidziyo yegoridhe, uye midziyo yaiva midziyo yakasiyana-siyana, newaini yeumambo yaiva yakawanda zvichienderana neruoko rwamambo.
  12711. Est 1:8 Zvino kunwa kwaienderana nemutemo, hakuna wakamanikidza; nokuti saizvozvo mambo waiva atarira vakuru vose veimba yake, kuti vaite zvichienderana nechido chemunhu nemunhu.
  12712. Est 1:9 Navahosi vamambo Vhashiti vakaitira vakadzi mabiko paimba yeumambo, mambo Ahasuwerusi yaaiva nayo.
  12713. Est 1:10 Pazuva rechinomwe moyo wamambo pawaiva wafara newaini, wakaraira Mehumani, Bhizita, Haribhona, Bhigita, naAbhagata, Zetari, naKarikasi, vatenwa vanomwe vaishanda pamberi pamambo Ahasuwerusi,
  12714. Est 1:11 kuti vauye navahosi vamambo Vhashiti pamberi pamambo, vane korona yeumambo, kutaridza vanhu nemachinda kunaka kwavo; nokuti vaiva vakanaka pakuonekwa.
  12715. Est 1:12 Asi vahosi vamambo Vhashiti vakaramba kuuya pakuraira kwamambo kwaiva neruoko rwevatenwa. Naizvozvo mambo wakatsamwa kwazvo, hasha dzake ndokupfuta mukati make.
  12716. Est 1:13 Zvino mambo wakati kuvachenjeri vaiziva dzinguva (nokuti shoko ramambo raiva rakadaro pamberi peavo vose vaiziva mutemo nemutongo,
  12717. Est 1:14 nevaiva pedo naye vaiva Karishena, Shetari, Adhimata, Tarishishi, Mereesi, Marisena, Memukani, machinda manomwe ePerisiya neMedhiya vaiona chiso chamambo, vaigara pamberi paushe):
  12718. Est 1:15 Zvichienderana nemutemo kuchaitwei navahosi vamambo Vhashiti, nokuti havana kuita murairo wamambo Ahasuwerusi neruoko rwevatenwa?
  12719. Est 1:16 Zvino Memukani wakati pamberi pamambo nemachinda: Vhashiti, vahosi vamambo vatadza kwete kuna mambo koga, asi kumachinda ose nekuvanhu vose vari pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi.
  12720. Est 1:17 Nokuti chiito chavahosi vamambo chichabudira kuvakadzi vose zvekuti vachazvidza varume vavo pameso avo, pavachati: Mambo Ahasuwerusi vakaraira vahosi vamambo Vhashiti kuti vauiwe navo pamberi pake, asi havana kuuya.
  12721. Est 1:18 Nhasi vakadzi vanoremekedzwa vePerisiya neMedhiya vachataura saizvozvo pavachanzwa chiito chavahosi vamambo kumachinda ose amambo; kuchava nekuzvidza nekutsamwa kwakapfuurisa.
  12722. Est 1:19 Kana zvakanaka kuna mambo ngakubude mutemo weumambo kubva kwaari, uye ngaunyorwe pakati pemitemo yevaPerisiya nevaMedhi, kuti usashandurwa, kuti Vhashiti arege kuzouya pamberi pamambo Ahasuwerusi; uye mambo ngaape uhosi hwake kune umwe ari nani kumupfuura.
  12723. Est 1:20 Kana mutemo wamambo wavachaita wanzwikwa paushe hwavo hwose (nokuti hwakakura), vakadzi vose vachapa rukudzo kuvarume vavo, kubva kumukuru kusvika kumudiki.
  12724. Est 1:21 Zvino nyaya yakava yakanaka pameso amambo nemachinda; mambo ndokuita zvichienderana neshoko raMemukani.
  12725. Est 1:22 Nokuti wakatuma tsamba kumatunhu ose amambo, kudunhu rimwe nerimwe zvichienderana nekunyorwa kwaro, uye kurudzi rumwe nerumwe zvichienderana nemutauro wavo, kuti murume umwe neumwe ave mutongi muimba yake, uye achitaura zvinoenderana nemutauro wevanhu vake.
  12726. Est 2:1 Shure kwezvinhu izvi, pakumira kwekutsamwa kwamambo Ahasuwerusi, wakarangarira Vhashiti, nezvaakaita, nechaakatemerwa.
  12727. Est 2:2 Zvino varanda vamambo vaimushandira vakati: Ngakutsvakirwe mambo vasikana, mhandara dzakanaka pakuonekwa.
  12728. Est 2:3 Zvino mambo ngaagadze vatariri pamatunhu ose eumambo hwake, kuti vaunganidze pamwe vasikana vose, mhandara dzakanaka pakuonekwa, paShushani muzinda, paimba yevanhukadzi, muruoko rwaHegai mutenwa wamambo, muchengetedzi wevanhukadzi, nekupa zvekuzvinatsa zvavo.
  12729. Est 2:4 Zvino musikana wakanaka pameso amambo ngaave vahosi vamambo pachinzvimbo chaVhashiti. Chinhu ichi ndokuva chakanaka pameso amambo; iye ndokuita saizvozvo.
  12730. Est 2:5 Kwaiva nemurume muJudha paShushani muzinda, uye zita rake raiva Modhekai, mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, muBhenjamini,
  12731. Est 2:6 waiva atapwa kubva Jerusarema pamwe nevatapwa vaiva vatapwa naJekoniya mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi waaiva atapa.
  12732. Est 2:7 Zvino wairera Hadhasa, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti waiva asina baba kana mai; zvino musikana waiva akanaka pachimiro uye akanaka pakuonekwa; uye baba vake namai vake pavaiva vafa, Modhekai wamutora kuva mukunda wake.
  12733. Est 2:8 Zvino zvakaitika pakwakanzwikwa murairo wamambo nechirevo chake, uye vasikana vakawanda vaungana pamwe paShushani muzinda muruoko rwaHegai, kuti Esiteri wakatorwa kuiswa muimba yamambo muruoko rwaHegai muchengetedzi wevanhukadzi.
  12734. Est 2:9 Zvino musikana waiva akanaka pameso ake, iye ndokuwana nyasha kubva kwaari, ndokukurumidza kumupa zvekuzvinatsa zvake nemigove yake, nevasikana vaionekera vanomwe kumupa vaibva muimba yamambo; akamubvisa ndokuisa iye nevasikana vake pakanaka peimba yevanhukadzi.
  12735. Est 2:10 Esiteri waiva asina kutaura vanhu vekwake kana rudzi rwake, nokuti Modhekai waiva amuraira kuti asataura.
  12736. Est 2:11 Zvino Modhekai waifamba-famba zuva nezuva pamberi pechivanze cheimba yevanhukadzi, kuziva upenyu hwaEsiteri, uye kuti chii chichaitika kwaari.
  12737. Est 2:12 Zvino pakusvika kwedzoro remusikana umwe neumwe kupinda kuna mambo Ahasuwerusi, pakupedzisira zvaitwa kwaari zvichienderana nemutemo wevanhukadzi, mwedzi gumi nemiviri (nokuti saizvozvo kwaizadzisika mazuva ezvekunatsa zvavo, mwedzi mitanhatu nemafuta emura, uye mwedzi mitanhatu nezvinonhuhwira zvinotapira, uye nezvimwe zvekunatsa zvevanhukadzi).
  12738. Est 2:13 Zvino neizvozvi musikana waipinda kuna mambo; chose chaakareva chakapiwa kwaari kuti aende nacho achibva paimba yevanhukadzi achienda kuimba yamambo.
  12739. Est 2:14 Madekwani waipinda, uye mangwanani waidzokera muimba yechipiri yevanhukadzi, muruoko rwaShaashigazi, mutenwa wamambo muchengetedzi wevarongo; waiva asingachapindizve kuna mambo, kunze kwekuti mambo afadzwa naye, ndokudanwa nezita.
  12740. Est 2:15 Zvino parakasvika dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi babamunini vaModhekai waiva amutora kuva mukunda wake kuti apinde kuna mambo, haana kukumbira chinhu kunze kweizvo Hegai mutenwa wamambo zvaakareva, muchengetedzi wevanhukadzi. Zvino Esiteri waiwana nyasha pameso evose vaimuona.
  12741. Est 2:16 Naizvozvo Esiteri wakaiswa kuna mambo Ahasuwerusi muimba yake yeushe mumwedzi wegumi unova mwedzi weTebheti, mugore rechinomwe rekutonga kwake.
  12742. Est 2:17 Mambo ndokuda Esiteri kupfuura vanhukadzi vose; iye ndokugamuchira nyasha netsitsi pamberi pake kupfuura mhandara dzose, zvekuti wakaisa korona yeumambo mumusoro wake, ndokumuita vahosi vamambo pachinzvimbo chaVhashiti.
  12743. Est 2:18 Zvino mambo wakaita mabiko makuru kumachinda ake ose nevaranda vake, mabiko aEsiteri. Akaitirawo matunhu zororo, ndokupa zvipo zvichienderana nesimba ramambo.
  12744. Est 2:19 Zvino pakuunganidzwa kwemhandara rwechipiri, Modhekai waiva agere pasuwo ramambo.
  12745. Est 2:20 Esiteri waiva asina kutaura rudzi rwake kana vanhu vekwake, sezvo Modhekai aiva amuraira, nokuti Esiteri wakaita murairo waModhekai sepaaiva achirerwa anaye.
  12746. Est 2:21 Pamazuva iwawo Modhekai agere pasuwo ramambo, Bhigitani naTereshi, vatenwa vaviri vamambo, pavarindi vemukova, vakatsamwa ndokutsvaka kuisa ruoko kuna mambo Ahasuwerusi.
  12747. Est 2:22 Zvino nyaya iyi ikazikanwa kuna Modhekai; uyo wakazivisawo Esiteri vahosi vamambo; Esiteri ndokuudza mambo nezita raModhekai.
  12748. Est 2:23 Nyaya yakati ichiongororwa, zvakawanikwa kuti ndizvo. Naizvozvo vari vaviri vakaremberedzwa pamuti. Zvino zvakanyorwa mubhuku remakoronike pamberi pamambo.
  12749. Est 3:1 Shure kwezvinhu izvi mambo Ahasuwerusi wakakwiridzira Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, ndokumusimudzira, ndokuisa chigaro chake pamusoro pemachinda ose aiva naye.
  12750. Est 3:2 Zvino varanda vose vamambo vaiva pasuwo ramambo vakakotama ndokufugamira Hamani; nokuti mambo waiva araira saizvozvo maererano naye. Asi Modhekai haana kukotama uye haana kufugama.
  12751. Est 3:3 Zvino varanda vamambo vaiva pasuwo ramambo vakati kuna Modhekai: Unodarikirei murairo wamambo?
  12752. Est 3:4 Zvino zvakaitika pavaitaura zuva nezuva kwaari, kuti haana kuteerera kwavari, zvekuti vakaudza Hamani kuti vaone kuti mashoko aModhekai angamira here; nokuti waiva avaudza kuti muJudha.
  12753. Est 3:5 Hamani paakaona kuti Modhekai haakotami kana kumufugamira, Hamani ndokuzara nekutsamwa.
  12754. Est 3:6 Asi wakashora pameso ake kuisa ruoko kuna Modhekai oga, nokuti vaiva vamuzivisa rudzi rwaModhekai; naizvozvo Hamani wakatsvaka kuparadza vaJudha vose vaiva paushe hwose hwaAhasuwerusi, rudzi rwaModhekai.
  12755. Est 3:7 Mumwedzi wekutanga, ndiwo mwedzi waNisani, mugore regumi nemaviri ramambo Ahasuwerusi, vakakanda Puri, ndiwo mujenya, pamberi paHamani kubva pazuva kusvika pazuva uye kubva pamwedzi kusvika pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi waAdhari.
  12756. Est 3:8 Zvino Hamani wakati kuna mambo Ahasuwerusi: Kune rumwe rudzi, rwakapararira nekutekeshera pakati pevanhu kumatunhu ose eumambo hwenyu; uye mirairo yavo yakasiyana neyevanhu vose, uye mirairo yamambo havasi kuita; zvino kuna mambo hazvibatsiri kuvarega.
  12757. Est 3:9 Kana zvakanaka kuna mambo, ngakunyorwe kuti vaparadzwe; uye ndichayerera matarenda zvuru gumi esirivha mumaoko evaiti vebasa, kuisa mune zvakakosha zvamambo.
  12758. Est 3:10 Zvino mambo wakabvisa chindori chake paruoko rwake, ndokuchipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wevaJudha.
  12759. Est 3:11 Zvino mambo wakati kuna Hamani: Sirivha yakapiwa kwauri, nevanhu, kuita navo sezvakanaka pameso ako.
  12760. Est 3:12 Zvino kwakadanwa vanyori vamambo mumwedzi wekutanga pazuva regumi nematatu rawo; zvino kwakanyorwa zvichienderana nezvose Hamani zvaaiva araira kumachinda amambo, nekuvatongi vaiva pamusoro pedunhu nedunhu, nekumisoro yerudzi nerudzi; dunhu nedunhu zvichienderana nechinyorwa chavo uye rudzi nerudzi zvichienderana nemutauro wavo; dzakanyorwa muzita ramambo Ahasuwerusi, ndokudhindwa nechindori chamambo.
  12761. Est 3:13 Zvino tsamba dzakatumwa neruoko rwevamhanyi kumatunhu ose amambo, kuparadza, kuuraya, nekutsakatisa vaJudha vose, kubva kune wechidiki kusvika kune wakwegura, vanana nevanhukadzi, pazuva rimwe, neregumi nematatu remwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye zvakatapiwa zvavo zvipambwe.
  12762. Est 3:14 Chikoponorwa chechinyorwa chekuti murairo upiwe kudunhu rimwe nerimwe, chikava pachena kuvanhu vose kuti vagadzirire zuva iro.
  12763. Est 3:15 Vamhanyi vakabuda, vakakurumidza neshoko ramambo; mutemo ndokupiwa paShushani muzinda; mambo naHamani ndokugara kunwa, asi guta reShushani rakadziyaniswa.
  12764. Est 4:1 Modhekai paakaziva zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, ndokupfeka masaga nemadota, ndokubudira pakati peguta, ndokuchema nekuchema kukuru kunorwadza.
  12765. Est 4:2 Akauya kusvika pamberi pesuwo ramambo; nokuti kwaiva kusina wakapfeka masaga waipinda pasuwo ramambo.
  12766. Est 4:3 Nepadunhu rimwe nerimwe nedunhu, nzvimbo shoko ramambo nemutemo wake pazvakasvika, kwakava nekuchema kukuru kuvaJudha, nekutsanya, nekuchema misodzi, nekurira; uye masaga nemadota zvakaparadzirwa pavazhinji.
  12767. Est 4:4 Zvino kwakasvika vasikana vaEsiteri nevatenwa vake ndokumuudza; vahosi vamambo ndokushungurudzika zvikuru, ndokutumira nguvo kupfekedza Modhekai nekubvisa masaga ake paari, asi haana kugamuchira.
  12768. Est 4:5 Zvino Esiteri wakadana Hataki, umwe wevatenwa vamambo waaiva azvimisira pamberi pake, ndokumuraira zvaModhekai, kuti azive kuti chii, uye kuti imhaka yei.
  12769. Est 4:6 Hataki ndokubudira kuna Modhekai pabani reguta raiva pamberi pesuwo ramambo.
  12770. Est 4:7 Zvino Modhekai wakamuudza zvose zvakaitika kwaari, nezvetsananguro chaiyo yemari Hamani yaakareva kuyerera pazvinokosha zvamambo pamusoro paJudha, kuvaparadza.
  12771. Est 4:8 Zvino wakamupa chikoponorwa chechinyorwa chemutemo chakapiwa paShushani kuvaparadza, kuti aratidze Esiteri, nekumuudza, nekumuraira kuti apinde kuna mambo, kunoita chikumbiro kwaari, nekukumbirira vanhu vekwake pamberi pake.
  12772. Est 4:9 Zvino Hataki wakauya ndokuudza Esiteri mashoko aModhekai.
  12773. Est 4:10 Zvino Esiteri wakataura kuna Hataki, ndokumupa murairo kuenda kuna Modhekai, akati:
  12774. Est 4:11 Varanda vose vamambo nevanhu vematunhu amambo vanoziva kuti, ani nani, munhurume kana munhukadzi anopinda kuenda kuna mambo muchivanze chemukati asina kudanwa, mutemo umwe kwaari kuuraya, kunze kwekuti mambo amutandavadzira tsvimbo yeushe yegoridhe, kuti ararame; asi ini handina kudanwa kupinda kuna mambo mazuva awa makumi matatu.
  12775. Est 4:12 Zvino vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri.
  12776. Est 4:13 Zvino Modhekai wakati pakudzosera shoko kuna Esiteri: Usafunga mumoyo mako kuti uchapukunyuka muimba yamambo kupfuura vaJudha vose.
  12777. Est 4:14 Nokuti kana ukanyarara zvekunyarara nenguva ino, rubatsiro nerusununguko zvichamirira vaJudha kubva kune imwe nzvimbo. Asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa. Zvino ndiyani anoziva kuti wakasvika paumambo nekuda kwenguva yakadai?
  12778. Est 4:15 Zvino Esiteri wakati achipindura Modhekai:
  12779. Est 4:16 Endai muunganidze vaJudha vose varipo paShushani, uye munditsanyire, uye musadya kana kunwa mazuva matatu, usiku nemasikati, uye ini nevasikana vangu tichatsanya saizvozvo; zvino saizvozvo ndichapinda kuna mambo, izvo zvisingaenderani nemutemo; uye kana ndaparara, ndaparara.
  12780. Est 4:17 Zvino Modhekai wakapfuurira ndokuita zvinoenderana nezvose Esiteri zvaakamuraira.
  12781. Est 5:1 Zvino zvakaitika pazuva retatu kuti Esiteri wakapfeka [nguvo] dzeuhosi, ndokumira pachivanze chemukati cheimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo waiva agere pachigaro cheushe cheumambo hwake muimba yeumambo, pakatarisana nemukova weimba.
  12782. Est 5:2 Zvino zvakaitika mambo paakaona Esiteri vahosi vamambo amire pachivanze, wakawana nyasha pameso ake; mambo ndokutandavadzira Esiteri tsvimbo yeushe yegoridhe yaiva muruoko rwake. Esiteri ndokuswedera, ndokubata musoro wetsvimbo.
  12783. Est 5:3 Zvino mambo wakati kwaari: Unei, vahosi Esiteri? Uye chikumbiro chako chii? Uchachipiwa, kunyange kusvika pahafu yeushe.
  12784. Est 5:4 Zvino Esiteri wakati: Kana zvakanaka kuna mambo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumabiko andakamugadzirira.
  12785. Est 5:5 Zvino mambo wakati: Kurumidzisai Hamani, kuti aite shoko raEsiteri. Naizvozvo vakauya mambo naHamani kumabiko Esiteri aaiva aita.
  12786. Est 5:6 Zvino mambo wakati kuna Esiteri pamabiko ewaini: Chikumbiro chako chii? Zvino uchachipiwa. Uye chii chishuvo chenyu? Zvichaitwa kunyange kusvika pahafu yeushe.
  12787. Est 5:7 Zvino Esiteri wakapindura ndokuti: Chikumbiro changu nechishuvo changu ndeichi:
  12788. Est 5:8 Kana ndawana nyasha pameso amambo, uye kana zvakanaka kuna mambo kupa chikumbiro changu, nekuita chishuvo changu, mambo naHamani ngavauye pamabiko andichavaitira; zvino mangwana ndichaita zvinoenderana neshoko ramambo.
  12789. Est 5:9 Zvino Hamani wakabuda nezuva iro nemufaro, nemoyo wakanaka; asi Hamani paakaona Modhekai pasuwo ramambo, kuti haana kusimuka, uye kuti haana kumudederera, Hamani wakazara nehasha nekuda kwaModhekai.
  12790. Est 5:10 Asi Hamani wakazvidzora; paakasvika muimba yake, wakatuma ndokupinza shamwari dzake, naZereshi mukadzi wake.
  12791. Est 5:11 Zvino Hamani wakavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nekuwanda kwevana vake, nezvose mambo zvaakamukwiridzira pazviri, uye kuti wakamusimudzira pamusoro pemachinda nevaranda vamambo.
  12792. Est 5:12 Hamani ndokuti: Hongu, Esiteri vahosi vamambo havana kupinza munhu pamwe namambo pamabiko aaita kunze kwangu; uye namangwana ndakokwa kwaari, pamwe namambo.
  12793. Est 5:13 Asi zvose hazvindifadzi panguva yose yandinoona Modhekai muJudha agere pasuwo ramambo.
  12794. Est 5:14 Zvino Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose vakati kwaari: Ngakuitwe danda remakubhiti makumi mashanu kureba, zvino mangwana taurai kuna mambo kuti Modhekai aremberedzwe pariri. Zvino pindai makafara namambo pamabiko. Zvino nyaya iyi yaiva yakanaka pamberi paHamani. Zvino akaita danda.
  12795. Est 6:1 Pausiku uhwo hope dzamambo dzakatiza; ndokuti kuuiswe bhuku rezvirangaridzo, makoronike. Zvino zvakaverengwa pamberi pamambo.
  12796. Est 6:2 Zvino pakawanikwa pakanyorwa kuti Modhekai wakazivisa zvaBhigitana naTereshi, vatenwa vaviri vamambo, kubva kuvachengetedzi vemukova, avo vakatsvaka kuisa ruoko pana mambo Ahasuwerusi.
  12797. Est 6:3 Zvino mambo wakati: Rukudzo neukuru rudzii zvakaitirwa Modhekai nekuda kweizvi? Zvino varanda vamambo vaimushandira vakati: Hapana chaakaitirwa.
  12798. Est 6:4 Mambo ndokuti: Ndiani ari pachivanze? Zvino Hamani waiva apinda pachivanze chekunze cheimba yamambo kutaura kuna mambo kuti aremberedze Modhekai padanda raaiva amugadzirira.
  12799. Est 6:5 Zvino varanda vamambo vakati kwaari: Tarirai Hamani amire pachivanze. Mambo ndokuti: Ngaapinde.
  12800. Est 6:6 Zvino Hamani wakapinda. Mambo ndokuti kwaari: Kuitwei kumunhu mambo waanofarira rukudzo rwake? Zvino Hamani wakati mumoyo make: Ndiani mambo wavangafarira kuita rukudzo kupfuura ini?
  12801. Est 6:7 Hamani ndokuti kuna mambo: Munhu mambo waanofarira rukudzo rwake,
  12802. Est 6:8 ngakuuiswe nguvo dzeushe mambo dzaanopfeka, nebhiza mambo raanotasva, uye kuti korona yeumambo iiswe pamusoro wake.
  12803. Est 6:9 Zvino nguvo nebhiza ngazvipiwe muruoko rweumwe wemachinda makuru amambo, uye vapfekedze munhu uyu mambo waanofarira rukudzo rwake, vamutasvise bhiza apfuure nepanhandare yeguta, vadanidzire pamberi pake vachiti: Ngakuitwe seizvi kumunhu mambo waanofarira rukudzo rwake.
  12804. Est 6:10 Zvino mambo wakati kuna Hamani: Kurumidza, tora nguvo nebhiza sezvawataura ugoita saizvozvo kuna Modhekai muJudha uyo agere pasuwo ramambo; kusawa shoko pane zvose zvawataura.
  12805. Est 6:11 Zvino Hamani wakatora nguvo nebhiza, ndokupfekedza Modhekai, ndokumutasvisa akapfuura nepanhandare yeguta, akadanidzira pamberi pake achiti: Kuchaitwa seizvi kumunhu mambo waanofarira rukudzo rwake.
  12806. Est 6:12 Zvino Modhekai wakadzokera kusuwo ramambo. Asi Hamani wakakurumidza kuenda kumba kwake achichema uye nemusoro wakafukidzwa.
  12807. Est 6:13 Zvino Hamani wakaudza Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvakasangana naye. Zvino vachenjeri vake naZereshi mukadzi wake vakati kwaari: Kana Modhekai ari werudzi rwevaJudha, wawatanga kuwa pamberi pake, haungamukundi, asi uchawa zvirokwazvo pamberi pake.
  12808. Est 6:14 Zvino vachiri kutaura naye, vatenwa vamambo ndokuswedera, ndokukurumidza kupinza Hamani kumabiko Esiteri aaiva aita.
  12809. Est 7:1 Zvino mambo naHamani vakasvika kuzova nemabiko navahosi vamambo Esiteri.
  12810. Est 7:2 Mambo ndokutizve kuna Esiteri pazuva rechipiri pamabiko ewaini: Chii chikumbiro chako, vahosi vamambo Esiteri? Zvino uchachipiwa. Uye chishuvo chako chii? Chichaitwa kunyange kusvika pahafu yeushe.
  12811. Est 7:3 Zvino Esiteri vahosi vamambo wakapindura ndokuti: Kana ndawana nyasha pameso enyu, mambo, uye kana zvakanaka kuna mambo, upenyu hwangu ngahupihwe kwandiri pachikumbiro changu, nevanhu vekwangu pachishuvo changu.
  12812. Est 7:4 Nokuti tatengeserwa kuparadzwa, ini nevanhu vekwangu, kuurawa, nekutsakatiswa. Asi kana tanga tatengeswa kuvanhurume vatapwa nekuvanhukadzi vatapwa, ndingadai ndanyarara; asi muvengi haana kuenzana nekutadzirwa kwamambo.
  12813. Est 7:5 Zvino mambo Ahasuwerusi wakapindura ndokuti kuna Esiteri vahosi vamambo: Ndiani, uye aripi, uyo wakazadza moyo wake kuita saizvozvo?
  12814. Est 7:6 Esiteri ndokuti: Munhu, mudzivisi nemuvengi ndiHamani uyu wakaipa! Zvino Hamani wakatya pamberi pamambo navahosi vamambo.
  12815. Est 7:7 Mambo ndokusimuka pamabiko ewaini mukutsamwa kwake kuenda kubindu remuzinda. Hamani akasimukawo kukumbirira upenyu hwake kuna Esiteri vahosi vamambo, nokuti wakaona kuti chakaipa chatemwa namambo pamusoro pake.
  12816. Est 7:8 Zvino mambo wakadzoka kubva pabindu remuzinda kupinda muimba yemabiko ewaini. Zvino Hamani wakawira pamusoro pemubhedha Esiteri paaiva ari. Mambo ndokuti: Kumanikidzawo vahosi vamambo vaneni mumba here? Shoko rakabuda mumuromo mamambo; zvino vakafukidza chiso chaHamani.
  12817. Est 7:9 Zvino Haribhona, umwe wevatenwa wakati pamberi pamambo: Tariraiwo, danda Hamani raakaitira Modhekai, iye wakataura zvakanaka pana mambo, rimire muimba yaHamani, kureba makubhiti makumi mashanu. Mambo ndokuti: Muremberedzei pariri.
  12818. Est 7:10 Zvino vakaremberedza Hamani padanda raaiva agadzirira Modhekai. Zvino kutsamwa kwamambo kwakadzikira.
  12819. Est 8:1 Pazuva iro mambo Ahasuwerusi wakapa imba yaHamani muvengi wevaJudha kuna Esiteri vahosi vamambo. Modhekai ndokuuya pamberi pamambo, nokuti Esiteri waiva arondedzera kuti waiva chii chake.
  12820. Est 8:2 Zvino mambo wakabvisa chindori chechidhindo chake chaaiva atorera Hamani, ndokuchipa kuna Modhekai. Esiteri ndokuisa Modhekai pamusoro peimba yaHamani.
  12821. Est 8:3 Zvino Esiteri wakataurazve pamberi pamambo, ndokuwira pasi petsoka dzake, ndokuchema misodzi, ndokuita chikumbiro kwaari, kuti abvise kuipa kwaHamani muAgagi, nezano rake raaiva arongera vaJudha.
  12822. Est 8:4 Zvino mambo wakatandavadzira kuna Esiteri tsvimbo yeushe yegoridhe. Naizvozvo Esiteri wakasimuka ndokumira pamberi pamambo.
  12823. Est 8:5 Zvino wakati: Kana zvakanaka kuna mambo, uye kana ndawana nyasha pamberi pake, uye chiri chinhu chakanaka pamberi pamambo, uye kana ndichifadza pameso ake, ngakunyorwe kudzosera shure tsamba nezano raHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamatunhu ose amambo.
  12824. Est 8:6 Nokuti ndingagona sei kuona zvakaipa zvichawana vanhu vekwangu? Uye ndingagona sei kuona kuparadzwa kwerudzi rwangu?
  12825. Est 8:7 Zvino mambo Ahasuwerusi wakati kuna Esiteri vahosi vamambo nekuna Modhekai muJudha: Tarirai ndapa Esiteri imba yaHamani, uye iye vakamuremberedza padanda, nokuti wakaisa ruoko rwake pavaJudha.
  12826. Est 8:8 Zvino imwi nyorerai vaJudha muzita ramambo sezvakanaka pameso enyu, mugosimbisa nechidhindo chechindori chamambo, nokuti chinyorwa chakanyorwa muzita ramambo uye chakasimbiswa nechidhindo chechindori chamambo, hakuna angachidzosera shure.
  12827. Est 8:9 Zvino vanyori vamambo vakadanwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, unova mwedzi weShivhani, pazuva remakumi maviri nematatu rawo; zvino kukanyorwa zvichienderana nezvose Modhekai zvaakaraira kuvaJudha, nekumachinda, nevatungamiriri, nevatongi vematunhu, iko kubva paIndiya kusvikawo paItiyopiya, matunhu zana nemakumi maviri nemanomwe, dunhu nedunhu zvichienderana nerunyoro rwaro, nerudzi nerudzi zvichienderana nerurimi rwarwo, nekuvaJudha zvichienderana nerunyoro rwavo uye zvichienderana nerurimi rwavo.
  12828. Est 8:10 Zvino wakanyora muzita ramambo Ahasuwerusi, ndokusimbisa nechidhindo chechindori chamambo, ndokutuma tsamba neruoko rwevamhanyi vanotasva mabhiza, vakatasva mabhiza anomhanyisa eumambo, mabhiza echidiki,
  12829. Est 8:11 kuti mambo wakatendera vaJudha vaiva paguta rimwe nerimwe neguta kuti vaungane pamwe kuti vamiririre upenyu hwavo, kuparadza nekuuraya nekutsakatisa masimba ose evanhu nedunhu anovashungurudza, vanana nevanhukadzi, nekupamba zvakapambiwa zvavo,
  12830. Est 8:12 pazuva rimwe pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi, pane regumi nematatu remwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari.
  12831. Est 8:13 Chikoponorwa chechinyorwa chemurairo uchapiwa kudunhu rimwe nerimwe nedunhu wakaiswa pachena kuvanhu vose, uye kuti vaJudha vagadzirire zuva iri kuzvitsivira pavavengi vavo.
  12832. Est 8:14 Vamhanyi vaiva vakatasva mabhiza eumambo aimhanyisa vakabuda, vakakurumidziswa nekumanikidzwa neshoko ramambo. Zvino mutemo ukapiwa paShushani muzinda.
  12833. Est 8:15 Zvino Modhekai wakabuda kubva pamberi pamambo ari munguvo dzeumambo zveruvara rwedenga nezvichena, uye nekorona huru yegoridhe, uye nenguvo yemucheka wakapfava nezveruvara rwehute. Zvino guta reShushani rakafara ndokupembera.
  12834. Est 8:16 VaJudha vakava nechiedza nemufaro nekupembera nerukudzo.
  12835. Est 8:17 Zvino padunhu rimwe nerimwe nedunhu nepaguta rimwe nerimwe neguta, nzvimbo pakasvika shoko ramambo nemutemo wake, mufaro nekupembera zvakava kuvaJudha, mabiko nezuva rakanaka. Zvino vazhinji vevanhu venyika vakava vaJudha, nokuti kutya vaJudha kwakavawira.
  12836. Est 9:1 Zvino mumwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi nematatu rawo, kwaswedera shoko ramambo nemutemo wake kuti zviitwe, pazuva vavengi vevaJudha pavaitarisira kuvatonga naro, zvino zvikashanduka, nokuti vaJudha pachavo vakatonga vaivavenga.
  12837. Est 9:2 VaJudha vakaungana pamaguta avo pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi, kuisa ruoko kune avo vaitsvaka kukuvadzwa kwavo; uye kwaiva kusina munhu waimira pamberi pavo, nokuti kuvatya kwakawira vanhu vose.
  12838. Est 9:3 Zvino vatongi vose vematunhu, nemachinda, nevatungamiriri, nevaiti vebasa mambo vavaiva navo, vakabatsira vaJudha, nokuti kutya Modhekai kwakavawira.
  12839. Est 9:4 Nokuti Modhekai waiva mukuru muimba yamambo, uye mbiri yake yakaenda nemumatunhu ose. Nokuti murume uyu Modhekai wakaramba achikura.
  12840. Est 9:5 Saizvozvo vaJudha vakarova pavavengi vavo vose nekurova kwemunondo nekuuraya nekuparadza, ndokuita zvinoenderana nechido chavo nevaivavenga.
  12841. Est 9:6 NepaShushani muzinda vaJudha vakauraya nekuparadza varume mazana mashanu.
  12842. Est 9:7 NaParishandata, naDharifoni, naAsipata,
  12843. Est 9:8 naPorata, naAdhariya, naAridhata,
  12844. Est 9:9 naParimashita, naArisai, naAridhai, naVayizata,
  12845. Est 9:10 vanakomana gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wevaJudha, vakavauraya; asi pazvakapambiwa havana kutandavadzira ruoko rwavo.
  12846. Est 9:11 Pazuva iro uwandu hwevakaurawa paShushani muzinda hwakasvika pamberi pamambo.
  12847. Est 9:12 Zvino mambo wakati kuna Esiteri vahosi vamambo: VaJudha vauraya nekuparadza varume mazana mashanu paShushani muzinda, nevanakomana gumi vaHamani; vaitei kune amwe matunhu amambo! Zvino chikumbiro chako chii? Zvino chichapiwa kwauri. Uye chishuvo chakozve chii? Zvino chichaitwa.
  12848. Est 9:13 Zvino Esiteri wakati: Kana zvakanaka kuna mambo, ngakutenderwe vaJudha vari paShushani kuita mangwanawo zvinoenderana nemutemo wanhasi, uye vanakomana gumi vaHamani ngavaremberedzwe padanda.
  12849. Est 9:14 Zvino mambo wakati zviitwe saizvozvo; zvino kukapiwa mutemo paShushani, uye vanakomana gumi vaHamani vakaremberedzwa.
  12850. Est 9:15 Zvino vaJudha vaiva paShushani vakaunganazve nezuva regumi nemana remwedzi weAdhari, zvino vakauraya varume mazana matatu paShushani, asi pazvakapambiwa havana kutandavadzira ruoko rwavo.
  12851. Est 9:16 Zvino vamwe vaJudha vaiva pamatunhu amambo vakaungana ndokumiririra upenyu hwavo, ndokuva nezororo kubva pavavengi vavo, ndokuuraya pane avo vaivavenga zvuru makumi manomwe nezvishanu; asi pane zvakapambiwa havana kutandavadzira ruoko rwavo.
  12852. Est 9:17 Pazuva regumi nematatu remwedzi weAdhari, zvino vakazorora nezuva regumi nemana rawo, ndokuriita zuva remabiko nemufaro.
  12853. Est 9:18 Asi vaJudha vaiva paShushani vakaungana pane regumi nematatu rawo, uye pane regumi nemana rawo; uye pane regumi nemashanu rawo vakazorora, ndokuriita zuva remabiko nemufaro.
  12854. Est 9:19 Naizvozvo vaJudha vemaruwa vanogara pamaguta emaruwa vanoita zuva regumi nemana remwedzi weAdhari rive remufaro nemabiko, uye zuva rakanaka, nerekutumirana migove.
  12855. Est 9:20 Zvino Modhekai wakanyora zvinhu izvi, ndokutumira tsamba kuvaJudha vose vaiva pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi, epedo neekure,
  12856. Est 9:21 kusimbisa pakati pavo kuti vanofanira kuchengetedza zuva regumi nemana remwedzi weAdhari, nezuva regumi nemashanu rawo, mugore negore rimwe nerimwe,
  12857. Est 9:22 semazuva vaJudha avakazorora nawo kubva pavavengi vavo, uye mwedzi wakashandurwa kwavari kubva pakusuwa kuenda pamufaro, uye kubva pakuchema kuenda pazuva rakanaka, kuaita mazuva emabiko neemufaro, neekutumirana migove, neezvipo kuvarombo.
  12858. Est 9:23 Zvino vaJudha vakagamuchira icho chavakatanga kuita, uye icho Modhekai chaakavanyorera.
  12859. Est 9:24 Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wevaJudha vose, waiva arongera vaJudha kuvaparadza, uye waiva akanda Puri, ndiwo mujenya, kuvatambudza nekuvaparadza.
  12860. Est 9:25 Asi pakasvika Esiteri pamberi pamambo, iye wakaraira netsamba kuti zano rake rakaipa raakarongera vaJudha ridzokere pamusoro wake, uye kuti vamuremberedze iye nevanakomana vake padanda.
  12861. Est 9:26 Naizvozvo vakatumidza mazuva iwawo Purimi zvichitevera zita raPuri. Naizvozvo nekuda kwemashoko ose etsamba iyi, nezvavaiva vaona maererano nenyaya iyi, nezvaiva zvavawira,
  12862. Est 9:27 vaJudha vakatema ndokugamuchira pamusoro pavo, nepamusoro pembeu yavo, nepamusoro pevose vaizozvibatanidza kwavari, kuti vasadarika, kuchengetedza mazuva awa maviri, zvichienderana nechinyorwa chawo, uye zvichienderana nenguva yawo yakatarwa, mugore negore rimwe nerimwe;
  12863. Est 9:28 uye mazuva awa arangarirwe nekuchengetedzwa mumazera nemazera ose, mhuri nemhuri, dunhu nedunhu, uye guta neguta, uye mazuva awa ePurimi arege kudarikwa kubva pakati pevaJudha, uye chirangaridzo chawo chisapera kubva pambeu yavo.
  12864. Est 9:29 Zvino Esiteri vahosi vamambo, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rose kusimbisa tsamba iyi yepiri yePurimi.
  12865. Est 9:30 Zvino wakatuma tsamba kuvaJudha vose kumatunhu zana nemakumi maviri nemanomwe eumambo hwaAhasuwerusi, mashoko erugare nechokwadi,
  12866. Est 9:31 kusimbisa mazuva awa ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, Modhekai muJudha naEsiteri vahosi vamambo sezvavaiva vasimbisa pamusoro pavo, uye sekuzvisimbisa kwavo nepamusoro pembeu yavo, nyaya dzekutsanya nekuchema kwavo.
  12867. Est 9:32 Zvino mutemo waEsiteri wakasimbisa nyaya idzi dzePurimi; uye zvakanyorwa mubhuku.
  12868. Est 10:1 Zvino mambo Ahasuwerusi wakaisa mutero panyika nezviwi zvegungwa.
  12869. Est 10:2 Zvino basa rose rekugwinya kwake neresimba rake, nedudziro yeukuru hwaModhekai, mambo hwaakamukurisa nahwo, hazvina kunyorwa here mubhuku remakoronike emadzimambo eMedhiya nePerisiya?
  12870. Est 10:3 Nokuti Modhekai muJudha wakava wechipiri pana mambo Ahasuwerusi, uye mukuru pakati pevaJudha, uye achigamuchirwa nechaunga chehama dzake, achitsvakira vanhu vake zvakanaka, uye achitaura rugare kumbeu yake yose
  12871. Job 1:1 Kwaiva kune murume munyika yeUzi, zita rake raiva Jobho. Zvino murume uyu waiva akaperera, uye akarurama, uye waitya Mwari, achinyenyeredza chakaipa.
  12872. Job 1:2 Zvino wakaberekerwa vanakomana vanomwe nevakunda vatatu.
  12873. Job 1:3 Uye zvipfuwo zvake zvaiva makwai zvuru zvinomwe, nemakamera zvuru zvitatu, nezvipani zvemombe mazana mashanu, nembongoro hadzi mazana mashanu, nevaranda vazhinji kwazvo. Naizvozvo munhu uyu waiva mukuru pane vanhu vose vekumabvazuva.
  12874. Job 1:4 Zvino vanakomana vake vaienda ndokuita mabiko muimba yeuyo neuyo nezuva rake, uye vaituma ndokudana hanzvadzi dzavo nhatu kuti vadye nekunwa navo.
  12875. Job 1:5 Zvino zvakaitika paanenge atenderera mazuva emabiko kuti Jobho waituma ndokuvatsvenesa, ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokupa zvipo zvinopiswa pauwandu hwavo vose; nokuti Jobho wakati: Zvimwe vanakomana vangu vakatadza ndokutuka Mwari pamoyo yavo. Jobho waiita saizvozvo mazuva ose.
  12876. Job 1:6 Zvino pakava nezuva vanakomana vaMwari pavakauya kuzvimisa pamberi paJehovha, Satani ndokusvikawo pakati pavo.
  12877. Job 1:7 Jehovha ndokuti kuna Satani: Wabvepi? Satani ndokupindura Jehovha, ndokuti: Pakupota-pota nenyika, nepakufamba-famba pairi.
  12878. Job 1:8 Jehovha ndokuti kuna Satani: Waisa here moyo wako pamuranda wangu Jobho? Nokuti hakuna wakaita saiye panyika, munhu wakaperera uye wakarurama, uye anotya Mwari, uye anonyenyeredza chakaipa.
  12879. Job 1:9 Satani ndokupindura Jehovha, ndokuti: Jobho anotya Mwari pasina here?
  12880. Job 1:10 Hamuna kumushoshera here iye neimba yake nezvose zvaanazvo kupoteredza? Makaropafadza basa remaoko ake, uye zvipfuwo zvake zvakawanda kwazvo panyika.
  12881. Job 1:11 Asi zvirokwazvo tandavadzai ruoko rwenyu ikozvino, mugobata zvose zvaanazvo; zvirokwazvo achakutukai pachiso chenyu.
  12882. Job 1:12 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; koga kwaari usatandavadzira ruoko rwako. Zvino Satani wakabuda kubva pamberi paJehovha.
  12883. Job 1:13 Zvino kwakava nezuva vanakomana vake nevakunda vake pavaidya nekunwa waini paimba yemukoma vavo, dangwe.
  12884. Job 1:14 Zvino kwakauya nhume kuna Jobho, ndokuti: Mombe dzanga dzichirima, nembongoro hadzi dzichifura parutivi rwadzo;
  12885. Job 1:15 VaShebha ndokuvamba, ndokudzitora, ndokurova varanda nekwakapinza kwemunondo, zvino koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.
  12886. Job 1:16 Achiri kutaura, kwakasvikawo umwe, ndokuti: Moto waMwari wawa kubva kumatenga ndokupisa makwai nevaranda, ndokuvapedza; uye koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.
  12887. Job 1:17 Achiri kutaura, umwewo wakasvika ndokuti: VaKaradhiya vaita mapoka matatu, ndokuwira pamakamera, ndokumatora, ndokurova varanda nekwakapinza kwemunondo; uye koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.
  12888. Job 1:18 Achiri kutaura umwewo wakasvika ndokuti: Vanakomana venyu nevakunda venyu vanga vachidya nekunwa waini muimba yemukoma wavo, dangwe.
  12889. Job 1:19 Zvino tarirai, kwasvika mhepo huru ichibva mhiri kwerenje, ndokurova makona mana eimba, ndokuwira pamusoro pemajaya, ivo ndokufa; zvino koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.
  12890. Job 1:20 Zvino Jobho wakasimuka, akabvarura nguvo yake, ndokuveura musoro wake, ndokuwira pasi ndokunamata,
  12891. Job 1:21 ndokuti: Ndakabuda ndiri musvi mudumbu ramai vangu, zvino ndinodzokerako ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.
  12892. Job 1:22 Pane izvi zvose Jobho haana kutadza, uye haana kuverengera upenzi kuna Mwari.
  12893. Job 2:1 Kwakavazve nezuva vanakomana vaMwari pavakauya kuzozvimisa pamberi paJehovha, Satani ndokusvikawo pakati pavo kuzozvimisa pamberi paJehovha.
  12894. Job 2:2 Jehovha ndokuti kuna Satani: Wabvepi? Satani ndokupindura Jehovha, ndokuti: Pakupota-pota nenyika, nepakufamba-famba pairi.
  12895. Job 2:3 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Waisa here moyo wako pamuranda wangu Jobho? Nokuti hakuna wakaita saiye panyika, munhu wakaperera uye wakarurama, anotya Mwari, uye anonyenyeredza chakaipa. Achakabatirira paururami hwake, kunyange iwe wakandimutsa kumurwisa kuti ndimumedze pasina chikonzero.
  12896. Job 2:4 Zvino Satani wakapindura Jehovha ndokuti: Ganda neganda, hongu, zvose munhu zvaanazvo achazvipira upenyu hwake.
  12897. Job 2:5 Asi tandavadzai ruoko rwenyu ikozvino, mugobata pfupa rake nenyama yake; zvirokwazvo achakutukai pachiso chenyu.
  12898. Job 2:6 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Tarira, ari paruoko rwako; koga chengeta upenyu hwake.
  12899. Job 2:7 Zvino Satani wakabuda kubva pamberi paJehovha, ndokurova Jobho nemamota akaipa, kubva pasi petsoka yake kusvika panhongonya yake.
  12900. Job 2:8 Zvino Jobho wakazvitorera chaenga kuzvikwenya nacho; ndokugara mukati memadota.
  12901. Job 2:9 Zvino mukadzi wake wakati kwaari: Uchakabatirira here paururami hwako? Tuka Mwari, ugofa.
  12902. Job 2:10 Asi wakati kwaari: Unotaura sekutaura kweumwe wevakadzi matununu. Ko, tingagamuchira zvakanaka kuna Mwari tikasagamuchirawo zvakaipa here? Pane izvi zvose Jobho haana kutadza nemiromo yake.
  12903. Job 2:11 Shamwari nhatu dzaJobho padzakanzwa zvakaipa zvose izvi zvaiva zvamuwira, ndokuuya umwe neumwe kubva kunzvimbo yake: Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNahama; nokuti vaiva vatenderana pamwe kuti vauye vazomuchema nekumunyaradza.
  12904. Job 2:12 Pavakasimudza meso avo vari kure havana kumuziva; zvino vakasimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi; ndokubvarura umwe neumwe nguvo yake, ndokuzvikushira guruva pamisoro yavo mumatenga.
  12905. Job 2:13 Zvino vakagara pavhu pamwe naye mazuva manomwe neusiku unomwe; uye hapana wakataura kwaari shoko, nokuti vakaona kuti marwadzo aiva makuru kwazvo.
  12906. Job 3:1 Shure kweizvi Jobho wakashamisa muromo wake ndokutuka zuva rake.
  12907. Job 3:2 Jobho ndokupindura ndokuti:
  12908. Job 3:3 Ngariparare zuva randakaberekwa naro, neusiku hwakanzi: Kwabatwa mimba yemwana munhurume.
  12909. Job 3:4 Zuva iro ngarive rima; Mwari ngaarege kurirangarira ari kumusoro, nechiedza ngachirege kurivhenekera.
  12910. Job 3:5 Rima nemumvuri werufu ngazviridzikunure; gore ngarigare pamusoro paro; rima rezuva ngarirityityidzire.
  12911. Job 3:6 Usiku uhu, rima ngarihubate; ngahurege kubatanidzwa nemazuva egore; ngahurege kuuya pauwandu hwemwedzi.
  12912. Job 3:7 Tarira, usiku uhu ngahuve ngomwa; inzwi remufaro ngarirege kupinda mahuri.
  12913. Job 3:8 Ngavahutuke vatuki vezuva, vakagadzirira kumutsa Revhiatani.
  12914. Job 3:9 Ngadzisvibe nyeredzi dzemambakwedza ahwo; ngahumirire chiedza, asi chisavako; uye ngahurege kuona funhiro dzemeso emangwanani;
  12915. Job 3:10 nokuti hahuna kupfiga mikova yedumbu rangu, kana kuvanza kutambudzika pameso angu.
  12916. Job 3:11 Sei ndisina kufa kubva muchizvaro, ndipere pakubuda kwangu mudumbu?
  12917. Job 3:12 Sei mabvi akava mberi kwangu, uye sei mazamu kuti ndiyamwe?
  12918. Job 3:13 Nokuti ikozvino ndingadai ndakazvambarara uye ndakanyarara, ndarara, ipapo ndava nezororo,
  12919. Job 3:14 pamwe nemadzimambo nemakurukota enyika vanozvivakira matongo,
  12920. Job 3:15 kana pamwe nemachinda aiva negoridhe, akazadza dzimba dzawo nesirivha,
  12921. Job 3:16 kana segavamwedzi rakavigwa ndisati ndavapo, sevacheche vasina kuona chiedza.
  12922. Job 3:17 Apo vakaipa pavanorega kutambudza, neapo vakaneta pasimba pavanozorora.
  12923. Job 3:18 Vasungwa vachazorora pamwe; havanzwi inzwi remumanikidzi.
  12924. Job 3:19 Mudiki nemukuru aripo; uye muranda wakasununguka pana tenzi wake.
  12925. Job 3:20 Sei achipa chiedza kune anotambudzika, neupenyu kumweya weupenyu unorwadza,
  12926. Job 3:21 vanomirira rufu, asi rwusipo, uye vanorutsvaka kupfuura fuma yakavigwa,
  12927. Job 3:22 vanofara kusvika pakupemberera, vanofara kana vachiwana guva,
  12928. Job 3:23 kumunhu ane nzira yake yakavigwa, uye Mwari waakashoshera?
  12929. Job 3:24 Nokuti kuvuvura kwangu kunouya pamberi pezvekudya zvangu, nekugomera kwangu kunodururika semvura.
  12930. Job 3:25 Nokuti chinotyisa chandinotya chandiwira, uye chandinovhunduka chasvika kwandiri.
  12931. Job 3:26 Ndaiva ndisina kugadzikana, uye ndaiva ndisina kuva nerunyararo, uye ndaiva ndisina kuva nezororo; zvino dambudziko rakauya.
  12932. Job 4:1 Zvino Erifazi muTemani wakapindura ndokuti:
  12933. Job 4:2 Kana umwe achiedza shoko newe, ucharwadziwa here? Asi ndiani anogona kuzvibata pamashoko?
  12934. Job 4:3 Tarira, wakarairira vazhinji, uye wakasimbisa maoko asina simba.
  12935. Job 4:4 Mashoko ako akamutsa anogumburwa, uye wakasimbisa mabvi anogweda-gweda.
  12936. Job 4:5 Asi ikozvino zvasvika kwauri, wopera simba; zvinokubata, zvino wovhunduswa.
  12937. Job 4:6 Kutya kwako Mwari hahusi ushingi hwako here, uye tariro yako iri kuperera kwenzira dzako?
  12938. Job 4:7 Rangarira hako, ndiani wakamboparara asina mhosva? Kana vakarurama vakambogurwa papi?
  12939. Job 4:8 Sezvandakaona, varimi vezvakaipa, nevadzvari vedambudziko, vanokohwa izvozvo.
  12940. Job 4:9 Nemweya waMwari vanoparara, uye nekufema kwemhino dzake vanopera.
  12941. Job 4:10 Kuomba kweshumba, neinzwi reshumba inotyisa, nemazino eshumba diki, zvavhunika.
  12942. Job 4:11 Shumba yakwegura inoparara nekushaiwa chinojimbiwa; nembwanana dzeshumbakadzi dzinopararira.
  12943. Job 4:12 Zvino ndakavigirwa shoko nekunyangira; nzeve yangu ndokugamuchira zevezeve raro.
  12944. Job 4:13 Pandangariro kubva pazviratidzo zveusiku, hope huru padzinowira vanhu.
  12945. Job 4:14 Kutya kwandiwira, nekubvunda, kwakaita kuti uwandu hwemapfupa angu azununguke.
  12946. Job 4:15 Zvino mweya wakapfuura pachiso changu; mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
  12947. Job 4:16 Wakamira, asi handina kuziva chimiro chawo; mufananidzo waiva pamberi pemeso angu, kwakanyarara, zvino ndakanzwa inzwi richiti:
  12948. Job 4:17 Munhu anofa angarurama kupfuura Mwari here? Murume angachena kupfuura Muiti wake here?
  12949. Job 4:18 Tarirai, haavimbi nevaranda vake; uye vatumwa vake anoti vakanganisi.
  12950. Job 4:19 Zvikuru sei vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzadzo dziri paguruva; dzinokuiwa mberi kwechipfukuto.
  12951. Job 4:20 Vanoparadzwa kubva mangwanani kusvika madekwani; vanoparara nekusingaperi pasina kurangarira.
  12952. Job 4:21 Kunaka kwavo hakubviswi navo here? Vanofa asi vasina uchenjeri.
  12953. Job 5:1 Dana hako ikozvino, pangava neangakupindura here? Uchatendeukira kune upi wevatsvene?
  12954. Job 5:2 Nokuti kutsamwa kunoponda benzi, uye ruchiva rwunouraya dununu.
  12955. Job 5:3 Ndakaona benzi richidzika mudzi; asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro yekugara.
  12956. Job 5:4 Vana varo vari kure neruponeso, uye vanopwanyiwa pasuwo; uye hapana mununuri.
  12957. Job 5:5 Goho raro ane nzara anodya, uyewo anoritora muminzwa; nerudzingi rwunomedza fuma yaro.
  12958. Job 5:6 Nokuti kusuruvara hakubudi muguruva, nedambudziko haritungi kubva muvhu.
  12959. Job 5:7 Zvakadaro munhu anoberekerwa dambudziko, sezvo baribari dzinodaukira kumusoro.
  12960. Job 5:8 Asi ini ndanga ndichatsvaka kuna Mwari, uye kuna Mwari ndanga ndichaisa nyaya yangu.
  12961. Job 5:9 Anoita zvinhu zvikuru uye zvisinganzvereki, zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.
  12962. Job 5:10 Anopa mvura inonaya pachiso chenyika, uye anotuma mvura pachiso chenzvimbo dzekunze.
  12963. Job 5:11 Kumisa pamusoro avo vari pasi, kuti vanochema vakwiridzirwe kuchengetedzeka.
  12964. Job 5:12 Anokonesa mazano evanyengeri, kuti maoko avo asaita uchenjeri.
  12965. Job 5:13 Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, nezano revasakarurama rakakurumidzirwa.
  12966. Job 5:14 Pamasikati vanosangana nerima; uye vanotsvanzvadzira pamasikati makuru sepausiku.
  12967. Job 5:15 Asi anorwira murombo kubva pamunondo, kubva pamuromo wavo, uye kubva paruoko rweane simba.
  12968. Job 5:16 Saka murombo ane tariro, uye uipi huchadzivira muromo wahwo.
  12969. Job 5:17 Tarirai, wakaropafadzwa munhu Mwari waanotsiura; naizvozvo kuranga kweWemasimbaose usazvidza.
  12970. Job 5:18 Nokuti iye anorwadzisa ndokusunga, anorova, maoko ake ndokupodza.
  12971. Job 5:19 Achakununura pamatambudziko matanhatu, nepane rechinomwe chakaipa hachingakubati.
  12972. Job 5:20 Panzara achakudzikinura kubva parufu; nepahondo kubva pasimba remunondo.
  12973. Job 5:21 Uchavanzwa kubva pashamhu yerurimi, uye haungatyi kuparara pakunosvika.
  12974. Job 5:22 Pakuparara nepanzara uchaseka, uye chikara chenyika haungatyi.
  12975. Job 5:23 Nokuti uchava muchitenderano nemabwe esango, nechikara chesango chichava nerugare newe.
  12976. Job 5:24 Zvino uchaziva kuti tende rako rine rugare, uye uchashanyira nzvimbo yako yekugara, uye haungatadzi.
  12977. Job 5:25 Uchazivawo kuti mbeu yako ichawanda, nezvizvarwa zvako seuswa hwenyika.
  12978. Job 5:26 Uchasvika paguva wakwegura, sedutu rezviyo richikwira panguva yaro.
  12979. Job 5:27 Tarira izvi, takazvinzvera, ndizvo; inzwa, uzvizivire iwe.
  12980. Job 6:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  12981. Job 6:2 Haiwa, dai kurwadziwa kwangu kwaiyerwa zvekuyerwa, nedambudziko rangu raiiswa pamwe pachikero!
  12982. Job 6:3 Nokuti ikozvino zvingarema kupfuura jecha remakungwa. Naizvozvo mashoko angu ndeekumhanyirira.
  12983. Job 6:4 Nokuti miseve yeWemasimbaose iri mandiri, uturu hwawo mweya wangu unohunwa; zvityiso zvaMwari zvinozvirongedzera kundirwisa.
  12984. Job 6:5 Mbongoro yesango inokuma here pabumhudza? Nzombe ingaomba pazvekudya zvayo here?
  12985. Job 6:6 Kuti chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Pane kuzipa pazvichena zvezai here?
  12986. Job 6:7 Mweya weupenyu wangu unoramba kuzvibata; zvakaita sezvekudya zvangu zvinosemesa.
  12987. Job 6:8 Haiwa, dai chikumbiro changu chasvika, uye Mwari ape tariro yangu;
  12988. Job 6:9 kuti zvifadze Mwari kundipwanya, aregedzere ruoko rwake, uye andigure.
  12989. Job 6:10 Ipapo zvichagara zvive nyaradzo yangu, ndaizofara pamarwadzo asingaregi; nokuti handina kuviga mashoko eMutsvene.
  12990. Job 6:11 Simba rangu chii kuti ndivimbe? Uye mugumo wangu chii kuti ndiredzve upenyu hwangu?
  12991. Job 6:12 Simba rangu isimba remabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?
  12992. Job 6:13 Rubatsiro rwangu harwusi mandiri here? Uye uchenjeri hwadzingwa kwandiri here?
  12993. Job 6:14 Anotambudzika achinzwirwa tsitsi neshamwari dzake, asi anosiya kutyisa kweWemasimbaose.
  12994. Job 6:15 Hama dzangu dzakaita nekusatendeka serukova; sekuyerera kwehova vanopfuura;
  12995. Job 6:16 dzakasviba nekuda kwemabwe echando, panovanda magada echando;
  12996. Job 6:17 panguva yekudziya kwadzo dzinonyangarika; pakunenge kuchipisa dzinodzima kubva panzvimbo yadzo.
  12997. Job 6:18 Nzira dzerwendo rwavo dzinomonyoroka; vanokwira kurenje ndokuparara.
  12998. Job 6:19 Vafambi veTema vakatarira; midungwe yeShebha yakadzimirira.
  12999. Job 6:20 Vakanyadziswa nokuti vaiva netariro; vakasvikapo ndokunyara.
  13000. Job 6:21 Nokuti ikozvino hamusi chinhu; munoona chityiso, ndokutya.
  13001. Job 6:22 Ndareva here kuti: Uisai kwandiri? Kana: Ipai chipo nekuda kwangu kubva pafuma yenyu?
  13002. Job 6:23 Kana: Ndinunurei paruoko rwemuvengi? Kana: Ndidzikunurei paruoko rwevanotyisa?
  13003. Job 6:24 Ndidzidzisei, ipapo ini ndichanyarara; mundiite ndinzwisise pandakanganisa.
  13004. Job 6:25 Ane simba zvakadii mashoko akarurama; asi kutsiura kunobva kwamuri kunotsiurei?
  13005. Job 6:26 Munorangarira mashoko ekutsiura here, nemashoko euyo wapererwa achava mhepo?
  13006. Job 6:27 Hongu, munokanda mijenya pamusoro penherera, uye munotsinhanisa shamwari yenyu.
  13007. Job 6:28 Naizvozvo ikozvino, zvipirei, kunditarira, nokuti zviri pamberi pechiso chenyu kana ndichireva nhema.
  13008. Job 6:29 Dzokai henyu, kusava kuipa; hongu dzokaizve; kururama kwangu kuri mazviri.
  13009. Job 6:30 Kuti pane chakaipa parurimi rwangu? Kuravira kwangu hakusiyanisi zvinhu zvakaipa here?
  13010. Job 7:1 Hakuna hondo kumunhu panyika here? Uye mazuva ake [haana] kuita semazuva ewakahaiwa here?
  13011. Job 7:2 Semuranda anoshuva mumvuri, uye sewakahaiwa anotarisira muhoro wake,
  13012. Job 7:3 saizvozvo ini ndakagariswa nhaka yemwedzi isina maturo, uye usiku hwedambudziko hwakaverengerwa ini.
  13013. Job 7:4 Pandinorara pasi ndinoti: Ndichamuka rinhi? Nokuti usiku hwakareba; uye ndizere kubidirika kusvika koedza.
  13014. Job 7:5 Nyama yangu yakafukidzwa nehonye nemavhinga eguruva. Ganda rangu rinofunuka, uye rinoyerera urwa.
  13015. Job 7:6 Mazuva angu anokurumidza pane chirukiso chemuruki, uye anopera pasina tariro.
  13016. Job 7:7 Rangarira kuti upenyu hwangu imhepo; ziso rangu harichazoonizve zvakanaka.
  13017. Job 7:8 Ziso rewakandiona harichazondioni; meso ako ari pamusoro pangu, asi handichazovipo.
  13018. Job 7:9 Gore rinopera ndokunyangarika; saizvozvo anoburukira kuguva haangakwiri.
  13019. Job 7:10 Haangadzokerizve kumba kwake; nenzvimbo yake haingazomuzivizve.
  13020. Job 7:11 Saka handingabati muromo wangu; ndichataura pakutambudzika kwemweya weupenyu wangu; ndichanyunyuta pakurwadziwa kweupenyu hwangu.
  13021. Job 7:12 Ndiri gungwa kanhi, kana bukanana regungwa, kuti mundiisire murindi?
  13022. Job 7:13 Kana ndikati: Mubhedha wangu uchandinyaradza, nhovo yangu ichazorodza kunyunyuta kwangu;
  13023. Job 7:14 zvino munondityityidzira nehope, uye munondivhundusa nezviratidzo;
  13024. Job 7:15 kuti mweya weupenyu wangu usarudze kudzipwa, rufu kupfuura mapfupa angu.
  13025. Job 7:16 Ndinousema; handingararami kusvika rinhi narinhi; ndiregei; nokuti mazuva angu haana maturo.
  13026. Job 7:17 Munhu chii kuti mumukudze, uye kuti muise moyo wenyu kwaari,
  13027. Job 7:18 uye kuti mumushanyire mangwanani oga-oga, mumuedze nguva imwe neimwe?
  13028. Job 7:19 Kusvika rinhi musingaregi kundicherechedza, musingandiregi kusvika ndamedza mate angu?
  13029. Job 7:20 Ndakatadza, ndichaitei kwamuri, imwi murindi wevanhu? Mandiisirei sechakanangwa kwamuri, kuti ndive mutoro kwandiri?
  13030. Job 7:21 Zvino munoregerei kukanganwira chitadzo changu, nekubvisa uipi hwangu? Nokuti ikozvino ndicharara pasi muguruva; muchanditsvaka zvikuru, asi handingavipo.
  13031. Job 8:1 Zvino Bhiridhadhi muShuhi wakapindura ndokuti:
  13032. Job 8:2 Kusvika rinhi uchitaura zvinhu izvi, uye mashoko emuromo wako ave mhepo ine simba?
  13033. Job 8:3 Mwari angaminamisa mutongo here? Kana Wemasimbaose angaminamisa zvakarurama here?
  13034. Job 8:4 Kana vana vako vakamutadzira, iye ndokuvarasira muruoko rwechitadzo chavo.
  13035. Job 8:5 Kana iwe ukashingairira kutsvaka Mwari, kuita mukumbiro wako kuna Wemasimbaose;
  13036. Job 8:6 kana wakachena uye wakarurama, zvirokwazvo ikozvino waimuka nekuda kwako, ndokumutsidzira nzvimbo yekugara yekururama kwako.
  13037. Job 8:7 Kunyange kutanga kwako kwaiva kudiki, zvakadaro kuguma kwako kuchakura kwazvo.
  13038. Job 8:8 Nokuti bvunza hako zvezera rekutanga, ugogadzirira tsvakurudzo yemadzibaba avo.
  13039. Job 8:9 Nokuti tiri vazuro, uye hatizivi, nokuti mazuva edu panyika mumvuri.
  13040. Job 8:10 Havangakudzidzisi here, vakuudze, vabudise mashoko kubva mumoyo wavo?
  13041. Job 8:11 Ko nhokwe ingakura pasina nhope here? Rutsanga rwungakura pasina mvura here?
  13042. Job 8:12 Rwuchiri paunyoro hwaro, rwusati rwadzurwa, zvakadaro rwunosvava kutangira mirivo yose.
  13043. Job 8:13 Ndizvo zvakaita nzira dzevose vanokanganwa Mwari; uye tariro yevanyepedzeri ichaparara.
  13044. Job 8:14 Tariro yake ndiyo ichagurwa, uye chivimbo chake mambure edandemutande.
  13045. Job 8:15 Achasendama paimba yake, asi haingamiri; achaibatirira, asi haingamuki.
  13046. Job 8:16 Iye mutema pamberi pezuva, uye bukira rake rinobudira pamusoro pebindu rake.
  13047. Job 8:17 Midzi yake yakapomberwa pamurwi, anoona nzvimbo yemabwe.
  13048. Job 8:18 Kana achimuparadza panzvimbo yake, zvino ichamuramba ichiti: Handina kukuona.
  13049. Job 8:19 Tarira, uyu mufaro wenzira yake, uye kubva muguruva vamwe vanokura.
  13050. Job 8:20 Tarira, Mwari haangarasi wakaperera, uye haabati ruoko rwevaiti vezvakaipa.
  13051. Job 8:21 Kusvika azadza muromo wako nekuseka, nemiromo yako nekudanidzira kwemufaro.
  13052. Job 8:22 Avo vanokuvenga vachafukidzwa nenyadzi; uye tende revakaipa haringazovipo.
  13053. Job 9:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  13054. Job 9:2 Zvirokwazvo ndinoziva kuti zvakadaro. Asi munhu angarurama sei kuna Mwari?
  13055. Job 9:3 Kana achishuva kupikisana naye, haazomupinduri chimwe pazvinhu churu.
  13056. Job 9:4 Wakachenjera pamoyo, uye wakagwinya pasimba; ndiyani wakazvisimbisa akamirisana naye uye akava parunyararo?
  13057. Job 9:5 Anobvisa makomo uye asingazvizivi, anoapidigura pakutsamwa kwake.
  13058. Job 9:6 Anozungunusa nyika kubva panzvimbo yayo, nembiru dzayo dzinodengenyeka.
  13059. Job 9:7 Anoraira zuva kuti risabuda, nekudzitira nyeredzi.
  13060. Job 9:8 Iye oga anotatamura matenga, nekutsika pamusoro pemafungu egungwa.
  13061. Job 9:9 Anoita nyeredzi dzeAkituro, Oriyoni, nePireadhesi, nemakamuri ekuchamhembe.
  13062. Job 9:10 Anoita zvinhu zvikuru zvisinganzvereki, uye zvinoshamisa zvisingaverengeki.
  13063. Job 9:11 Tarira, anopfuura nepandiri asi handioni, anopfuurirawo asi handimunzwi.
  13064. Job 9:12 Tarira, anobvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari: Unoitei?
  13065. Job 9:13 Mwari haangadzori kutsamwa kwake; vabatsiri vaRahabhi vanokotama pasi pake.
  13066. Job 9:14 Ko zvino ini ndichamupindura ndichitii, ndisarudze mashoko angu kunangana naye?
  13067. Job 9:15 Iye, kana ndaiva ndakarurama, handina kupindura; ndichakumbira nyasha kumutongi wangu.
  13068. Job 9:16 Kana ndaiva ndadana, wakandipindurawo, handizaitenda kuti wakaisa nzeve painzwi rangu.
  13069. Job 9:17 Nokuti anondiputsa nedutu, nekuwanza mavanga angu pasina chikonzero.
  13070. Job 9:18 Haanditenderi kudzosa mweya wangu, asi anondizadza nezvinovava.
  13071. Job 9:19 Kana zviri zvesimba, tarirai, wakasimba; uye kana zviri zvemutongo, ndiyani achandidana?
  13072. Job 9:20 Kana ndakarurama, muromo wangu uchandipa mhosva; kana ndaiva ndakaperera, iye aiti ndakatadza.
  13073. Job 9:21 Ndakaperera; handizivi mweya weupenyu wangu; ndinozvidza upenyu hwangu.
  13074. Job 9:22 Chinhu chimwe ichi, naizvozvo ndinoti: Anoparadza wakaperera newakaipa.
  13075. Job 9:23 Kana shamhu ichiuraya nekukurumidza, achaseka pakurasa tariro kwevasina mhosva.
  13076. Job 9:24 Nyika yakapiwa muruoko rwewakaipa; anofukidza zviso zvevatongi vayo; kana zvisizvo, zvino ndiani?
  13077. Job 9:25 Zvino mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anotiza, haaoni zvakanaka.
  13078. Job 9:26 Apfuura sezvikepe zverutsanga, segondo rinohatura chekudya.
  13079. Job 9:27 Kana ndikati: Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichasiya chiso changu chinopunyaira, ndifare:
  13080. Job 9:28 Ndinotya marwadzo angu ose; ndinoziva kuti hamunganditi handina mhosva.
  13081. Job 9:29 Ndine mhosva; zvino ndinoshingairirei pasina?
  13082. Job 9:30 Kana ndikashamba nemvura yemagada echando, uye ndikachenesa maoko angu nesipo,
  13083. Job 9:31 ipapo muchandinyudza mugomba, nenguvo dzangu dzichandisema.
  13084. Job 9:32 Nokuti haasi munhu wakafanana neni, kuti ndimupindure, kuti tisvike pamwe pamutongo.
  13085. Job 9:33 Hakuna mutongi pakati pedu, angaisa ruoko rwake pamusoro pedu tiri vaviri.
  13086. Job 9:34 Ngaabvise shamhu yake kwandiri, nekuvhundusa kwake kusandityisa.
  13087. Job 9:35 Zvino ndaitaura ndisingamutyi; asi handina kudaro pachangu.
  13088. Job 10:1 Mweya weupenyu wangu waneta neupenyu hwangu; ndichasiya kunyunyuta kwangu pamusoro pangu; ndichataura mukurwadza kwemweya weupenyu wangu.
  13089. Job 10:2 Ndichati kuna Mwari: Musanditi ndine mhosva. Ndizivisei kuti sei muchipikisana neni.
  13090. Job 10:3 Zvakanaka kwamuri here kuti mumanikidze, kuti muzvidze basa remaoko enyu, mugovhenekera pamusoro pezano revakaipa?
  13091. Job 10:4 Mune meso enyama here? Munoona sekuona kwemunhu here?
  13092. Job 10:5 Mazuva enyu akafanana nemazuva emunhu here? Makore enyu akafanana nemazuva emunhu here;
  13093. Job 10:6 zvamunobvunza zveuipi hwangu, nekunzvera zvechivi changu?
  13094. Job 10:7 Zvichienderana neruzivo rwenyu kuti handisi mutadzi; asi hakuna anonunura paruoko rwenyu.
  13095. Job 10:8 Maoko enyu akandiumba nekundiita pamwechete nhivi dzose, zvakadaro munondimedza.
  13096. Job 10:9 Rangarirai henyu kuti makandiita sevhu; uye muchandidzosera muguruva here?
  13097. Job 10:10 Hamuna kundidurura semukaka here, nekundikodzeka semukaka wakakora?
  13098. Job 10:11 Makandifukidza neganda nenyama, ndokundisunganidza nemapfupa nemarunda.
  13099. Job 10:12 Makandiitira upenyu netsitsi, uye hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.
  13100. Job 10:13 Asi izvi makazvivanza mumoyo menyu; ndinoziva kuti ichi chiri mamuri.
  13101. Job 10:14 Kana ndichitadza munondicherekedza, uye hamungandiregi ndisina mhosva pachivi changu.
  13102. Job 10:15 Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; kana ndakarurama, handingasimudzi musoro wangu. Ndizere nenyadzi, naizvozvo onai kurwadziwa kwangu.
  13103. Job 10:16 Nokuti kunozvikudza; seshumba munondivhima. Modzoka mozviita anoshamisa kwandiri.
  13104. Job 10:17 Munovandudza uchapupu hwenyu kurwisana neni, uye munowedzera kutsamwa kwenyu kundipikisa; shanduko nehondo zvineni.
  13105. Job 10:18 Zvino makandibudisirei pachizvaro? Dai ndaiva ndapera, uye ziso risina kundiona.
  13106. Job 10:19 Ndaizova sekuti ndaiva ndisipo; ndingadai ndakatakurirwa kuguva kubva muchizvaro.
  13107. Job 10:20 Mazuva angu haasi mashoma here? Zvino gumai, uye ndiregei, kuti ndifare zvishoma;
  13108. Job 10:21 ndisati ndaenda ndikasazodzoka, kunyika yerima nemumvuri werufu;
  13109. Job 10:22 nyika yerima guru, serima; mumvuri werufu, pasina kurongeka, uye inobwinya serima.
  13110. Job 11:1 Zvino Zofari muNaama wakapindura ndokuti:
  13111. Job 11:2 Uwandu hwemashoko hahupindurwi here? Uye mutaurisi anganzi haana mhosva here?
  13112. Job 11:3 Kurotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Paunohomera, pasinawo anokunyadzisa.
  13113. Job 11:4 Nokuti wakati: Dzidziso yangu yakarurama, uye ndakachena pameso enyu.
  13114. Job 11:5 Asi zvakadaro dai Mwari ataura, ndokuzarura miromo yake kwauri;
  13115. Job 11:6 kuti akuzivise zvakavanzika zveuchenjeri, kuti zvakapetwa kaviri neuchenjeri hwechokwadi. Zvino ziva kuti Mwari anodana kwauri zvishoma pamhosva yako.
  13116. Job 11:7 Ungawana kudzama kwaMwari here? Ungawana Wemasimbaose kusvika pakuperera here?
  13117. Job 11:8 Zvakakwirira sekumatenga; ungaitei? Zvakadzika kupfuura gehena; unozivei?
  13118. Job 11:9 Chiyero chazvo chakareba kupfuura nyika, uye chakapamhama kupfuura gungwa.
  13119. Job 11:10 Kana akapfuura, ndokupfigira kana kuunganidza, ndiyani angamudzivisa?
  13120. Job 11:11 Nokuti iye anoziva vanhu pasina, uye anoona uipi; naizvozvo haangachenjereri here?
  13121. Job 11:12 Nokuti munhu dununu angava wakachenjera, kunyange munhu angaberekwa semhuru yembongoro yesango.
  13122. Job 11:13 Kana iwe wakagadzirira moyo wako, uye wakatandavadzira maoko ako kwaari;
  13123. Job 11:14 kana uipi huri muruoko rwako, huise kure, uye usarega kudarika kuchigara mumatende ako.
  13124. Job 11:15 Nokuti ipapo uchasimudza chiso chako usina gwapa, uye wakasimba, uye hautyi.
  13125. Job 11:16 Nokuti iwe uchakanganwa dambudziko, unorangarira semvura dzapfuura.
  13126. Job 11:17 Kureba kweupenyu hwako huchajeka kupfuura masikati makuru; kunyange kwasviba, kuchava semangwanani.
  13127. Job 11:18 Zvino uchava nechivimbo, nokuti kune tariro; uchatsvaka, ucharara mukuchengetedzeka.
  13128. Job 11:19 Ucharara, uye hakuna angakubvundisa; nevazhinji vachagombedzera pachiso chako.
  13129. Job 11:20 Asi meso evakaipa achapera; neutiziro huchaparara kubva kwavari; netariro yavo ichava kupera kwemweya.
  13130. Job 12:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  13131. Job 12:2 Nokuti zvirokwazvo muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemwi.
  13132. Job 12:3 Iniwo ndine moyo semwi; handisi mudiki kwamuri. Zvino ndiyani kwaari kusina zvinhu seizvi?
  13133. Job 12:4 Ndiri ari chiseko kushamwari yake, anodana kuna Mwari achimupindura; uyo asina mhosva uye wakarurama chiseko.
  13134. Job 12:5 Mwenje unozvidzwa mumirangariro yewakachengetedzeka; wakagadzirira vanotedzemuka netsoka.
  13135. Job 12:6 Matende emakororo ane rugare, uye vanotsamwisa Mwari vakachengetedzeka, uyo muruoko rwake Mwari anouisa.
  13136. Job 12:7 Asi zvirokwazvo bvunzai henyu mhuka, zvino dzichakudzidzisai, neshiri dzematenga, zvino dzichakuudzai.
  13137. Job 12:8 Kana taurai kunyika, zvino ichakudzidzisai; nehove dzegungwa dzichakurondedzerai.
  13138. Job 12:9 Ndiani asingazivi pazvinhu izvi zvose kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
  13139. Job 12:10 Uyo muruoko rwake mune mweya weupenyu wechipenyu chimwe nechimwe, nemweya wenyama yose yemunhu.
  13140. Job 12:11 Nzeve haiidzi mashoko, semukanwa unozviravirira zvekudya here?
  13141. Job 12:12 Kuvakwegura kune uchenjeri, nepakureba kwemazuva pane kunzwisisa.
  13142. Job 12:13 Kwaari kune uchenjeri nesimba; ane zano nekunzwisisa.
  13143. Job 12:14 Tarirai, anokoromora, uye hapangavakwizve; anopfigira munhu, uye hapangazarurwi.
  13144. Job 12:15 Tarirai, anodzivisa dzimvura idzo ndokuoma; uye anodzituma, idzo ndokupidigura nyika.
  13145. Job 12:16 Kwaari kune simba neuchenjeri; wakanyengerwa uye munyengeri ndevake.
  13146. Job 12:17 Anoendesa vapi vemazano vapambiwa, agoita vatongi vave mapenzi.
  13147. Job 12:18 Anosunungura chisungo chemadzimambo, ndokusunga bhanhire pazviuno zvavo.
  13148. Job 12:19 Anoendesa vapristi vakapambiwa, uye anowisa vakasimba.
  13149. Job 12:20 Anokamura mutauro wevakatendeka, nekubvisa kunzwisisa kwevakura.
  13150. Job 12:21 Anodurura kushora pamusoro pemachinda, nekutembenudza bhanhire revane simba.
  13151. Job 12:22 Anofukura zvinhu zvakadzika kubva parima, uye anobudisira kuchiedza mumvuri werufu.
  13152. Job 12:23 Anokurisa marudzi, ndokuaparadza; awanze marudzi, ndokuabvisa.
  13153. Job 12:24 Anobvisa moyo wemisoro yevanhu venyika, ndokuvadzungairisa murenje musina nzira.
  13154. Job 12:25 Vanotsvangadzira murima pasina chiedza, anovadzedzeresa sechidhakwa.
  13155. Job 13:1 Tarirai, zvose ziso rangu raona, nzeve yangu yanzwa uye yazvinzwisisa.
  13156. Job 13:2 Zvichienderana neruzivo rwenyu, iniwo ndinoziva; handisi pasi penyu.
  13157. Job 13:3 Asi ini ndichataura kune Wemasimbaose, uye ndinoshuva kukakavadzana naMwari.
  13158. Job 13:4 Asi zvirokwazvo imwi vadzudzuri venhema, mose muri varapi pasina.
  13159. Job 13:5 Haiwa! Dai muchinyarara zvachose! Zvino zvichava kwamuri uchenjeri!
  13160. Job 13:6 Inzwai henyu kuzvidavira kwangu, uye teererai kugakava remiromo yangu.
  13161. Job 13:7 Muchataurira Mwari nezvakaipa here, nekumutaurira nekunyengera?
  13162. Job 13:8 Muchagamuchira chiso chake here? Muchamukakavadzira Mwari here?
  13163. Job 13:9 Zvichava zvakanaka here paanokunzverai? Kana muchamunyengera here sekunyengera munhu?
  13164. Job 13:10 Zvirokwazvo achakutsiurai, kana pakavanda muchigamuchira zviso.
  13165. Job 13:11 Ukuru hwake hahungakutyityidzirii, kutyisa kwake ndokukuwirai here?
  13166. Job 13:12 Zvirangaridzo zvenyu itsumo dzemadota, zvitaviro zvenyu zvitaviro zvevhu.
  13167. Job 13:13 Nyararai, ndiregei, kuti nditaure ini, uye chipi nechipi chigondipfuura.
  13168. Job 13:14 Ndichatorerei nyama yangu mumazino angu, nemweya wangu ndiise muruoko rwangu?
  13169. Job 13:15 Kunyange akandiuraya, ndichatarisira iye. Asi ndichamiririra nzira dzangu pamberi pake.
  13170. Job 13:16 Ndiyewo achava ruponeso rwangu, nokuti munyepedzeri haangauyi pamberi pake.
  13171. Job 13:17 Nzwisisai shoko rangu, netsananguro yangu nenzeve dzenyu.
  13172. Job 13:18 Tarirai henyu, ndaronga nyaya yangu zvakanaka; ndinoziva kuti ini ndichanzi handina mhosva.
  13173. Job 13:19 Ndiani achapikisana neni? Nokuti ikozvino ndichinyarara ndichapera.
  13174. Job 13:20 Koga usaita zviviri kwandiri; ipapo handingazvivanzi kubva pachiso chenyu.
  13175. Job 13:21 Bvisirai ruoko rwenyu kure neni; uye kutyisa kwenyu kusandivhundusa.
  13176. Job 13:22 Zvino muchadana, uye ini ndichapindura; kana nditaure mugondipindura.
  13177. Job 13:23 Zvingani zvakaipa nezvivi zvangu? Ndizivisei chitadzo changu nechivi changu.
  13178. Job 13:24 Munovanzirei chiso chenyu, mondibata semuvengi wenyu?
  13179. Job 13:25 Munovhundusa shizha rinopepereswa here? Zvino muchadzingirirana nehwindi yakaoma here?
  13180. Job 13:26 Nokuti manyora zvinhu zvinorwadza kurwisana neni, mukandiita ndigare nhaka yezvakaipa zveujaya hwangu.
  13181. Job 13:27 Munoisawo tsoka dzangu mumatanda, ndokucherekedza nzira dzangu dzose; ndokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
  13182. Job 13:28 Zvino iye sechinhu chakaora anopera, senguvo zvipfukuto zvayakadya.
  13183. Job 14:1 Munhu wakazvarwa nemukadzi ane mazuva mapfupi, uye azere dambudziko.
  13184. Job 14:2 Anobuda seruva, ndokusvava; anotizawo semumvuri, uye haamiri.
  13185. Job 14:3 Ko wakadai mungamuzarurira meso enyu; ndokundipinza pakutonga pamwe nemwi.
  13186. Job 14:4 Ndiani angapa chinhu chakachena kubva pane chakasviba? Hakuna neumwe.
  13187. Job 14:5 Mazuva ake zvaakatarwa, uwandu hwemwedzi yake huri kwamuri, imwi makatara miganhu yake kuti asapfuura.
  13188. Job 14:6 Regai kumucherekedza, kuti azorore, kusvika afadzwa nezuva rake semushandi wakahaiwa.
  13189. Job 14:7 Nokuti pane tariro pamuti kana uchitemwa, kuti uchatungazve, kuti bukira rawo haringaperi.
  13190. Job 14:8 Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, nehunde yawo ikafa muguruva,
  13191. Job 14:9 nekunhuhwira kwemvura unotunga, ndokuita matavi semuti mudiki.
  13192. Job 14:10 Asi murume anofa ndokuradzikwa pasi; zvirokwazvo munhu anopera, zvino aripi?
  13193. Job 14:11 Mvura inoenda kubva mugungwa, uye rwizi runopwa ndokuoma.
  13194. Job 14:12 Naizvozvo munhu anorara pasi, akasamuka; kusvika matenga asisiko havangamuki, kana kusimudzwa kubva pahope dzavo.
  13195. Job 14:13 Haiwa dai maindivanza paSheori, kuti mundichengete pakavanda kusvika kutsamwa kwenyu kwadzokera, munditemere nguva yakatarwa, mundirangarire.
  13196. Job 14:14 Kana munhu afa angararamazve here? Nguva dzose dzehondo dzangu ndichamirira, kusvika kusunungurwa kwangu kwasvika.
  13197. Job 14:15 Muchadana, ini ndichakupindurai, muchashuva basa remaoko enyu.
  13198. Job 14:16 Asi ikozvino munoverenga nhambwe dzangu; hamuchenjereri pachivi changu.
  13199. Job 14:17 Chitadzo changu chakasungirwa muhombodo, munodzudzura pamusoro peuipi hwangu.
  13200. Job 14:18 Zvirokwazvo gomo rinowa rinopfupfunyuka, uye dombo rinofamba kubva panzvimbo yaro.
  13201. Job 14:19 Mvura inochera mabwe; nhuruka dzayo dzinokukura guruva renyika. Zvino munoparadza tariro yemunhu.
  13202. Job 14:20 Munomukunda nekusingaperi, agoenda; munoshandura chiso chake, uye munomuendesa.
  13203. Job 14:21 Vana vake vanokudzwa iye asingazivi; kana vanoderedzwa, asi asingazvitarisi.
  13204. Job 14:22 Asi nyama yake iri pamusoro pake iri pamarwadzo, nemweya weupenyu wake unochema mukati make.
  13205. Job 15:1 Zvino Erifazi muTemani wakapindura ndokuti:
  13206. Job 15:2 Wakachenjera angapindura here ruzivo rwemhepo, ndokuzadza dumbu rake nemhepo yekumabvazuva here?
  13207. Job 15:3 Angakakavara neshoko raasingabatsiriki mariri, nenhaurwa dzisina mubairo here?
  13208. Job 15:4 Zvirokwazvo iwe unogura kutya, nekudzivisa munyengetero pamberi paMwari.
  13209. Job 15:5 Nokuti muromo wako unodzidzisa uipi hwako, uye unosarudza rurimi rwevanyepedzeri.
  13210. Job 15:6 Muromo wako unokupa mhosva, uye handisi ini; uye miromo yako inokupupurira.
  13211. Job 15:7 Ndiwe wakatanga kuzvarwa kanhi? Kana wakaberekwa makomo asati avapo here?
  13212. Job 15:8 Wakanzwa here nezvezano rakavanzika raMwari? Kana kuti unogumisira uchenjeri kwauri woga?
  13213. Job 15:9 Chii chaunoziva chatisingazivi? Chaunonzwisisa chisiri kwatiri?
  13214. Job 15:10 Patiri pane vakachena musorowo nevakwegura, vakuru kuna baba vako pamazuva.
  13215. Job 15:11 Nyaradzo dzaMwari idiki kwauri here, neshoko reunyoro kwauri?
  13216. Job 15:12 Moyo wako unokutorerei? Uye sei meso ako achibwaira?
  13217. Job 15:13 Kuti ushandure mweya wako kurwisana naMwari uye ubudise mashoko mumuromo wako.
  13218. Job 15:14 Munhu chii kuti ave wakachena, newakaberekwa nemukadzi kuti ave wakarurama?
  13219. Job 15:15 Tarira, haavimbi nevatsvene vake, uye matenga haana kuchena pameso ake.
  13220. Job 15:16 Kuzoti munhu anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura.
  13221. Job 15:17 Ndichakuratidza, nditeerere; nezvandakaona ndicharondedzera.
  13222. Job 15:18 Vachenjeri zvavakataura kubva kumadzibaba avo, uye vakasavanza.
  13223. Job 15:19 Kwavari chete kwakapiwa nyika, uye mutorwa kwaasingapfuuri nepakati pavo.
  13224. Job 15:20 Mazuva ose ewakaipa iye anozvirwadzisa, uye uwandu hwemakore hwakaisirwa mumanikidzi.
  13225. Job 15:21 Inzwi rezvityiso riri munzeve dzake; pakubudirira muparadzi achauya pamusoro pake.
  13226. Job 15:22 Haatendi kuti achadzoka kubva parima, asi kuti wakamirirwa pamunondo.
  13227. Job 15:23 Anombeyera zvekudya. Zviripi? Anoziva kuti zuva rerima rakagadzirirwa paruoko rwake.
  13228. Job 15:24 Dambudziko nekushungurudzika zvinomutyisa; zvichamukunda, samambo akagadzirira kuvamba.
  13229. Job 15:25 Nokuti wakatandavadzira ruoko rwake kurwisa Mwari, nekuzviita simba kurwisa Wemasimbaose.
  13230. Job 15:26 Anomumhanyira nemutsipa mukukutu, nemakwande makobvu enhovo dzake.
  13231. Job 15:27 Nokuti wakafukidza chiso chake nemafuta ake, uye wakafutisa chiuno chake nemafuta.
  13232. Job 15:28 Anogara maguta ava matongo, dzimba dzisina anogaramo, dzakagadzirira kuva zvuru.
  13233. Job 15:29 Haangafumi, nefuma yake haingamiri, nezvibereko zvazvo hazvingatandavari pasi.
  13234. Job 15:30 Haangabvi parima; murazvo uchaomesa bukira rake, uye achabva nekufema kwemuromo wake.
  13235. Job 15:31 Anonyengerwa ngaarege kuvimba zvisina maturo, nokuti zvisina maturo ndiwo mubairo wake.
  13236. Job 15:32 Zvichapedzwa risati rava zuva rake; nedavi rake haringavi nyoro.
  13237. Job 15:33 Achazuza mazambiringa ake asina kuibva semuzambiringa, ndokuzuka maruva ake semuorivhi.
  13238. Job 15:34 Nokuti ungano yevanyepedzeri ichava isina zvibereko, uye moto uchapedza matende evafufuri.
  13239. Job 15:35 Vanobata mimba yedambudziko, ndokubereka uipi, nedumbu ravo rinogadzirira unyengeri.
  13240. Job 16:1 Zvino Jobho wakapindura, ndokuti:
  13241. Job 16:2 Ndanzwa zvinhu zvizhinji zvakadai; vanyaradzi vanotambudza imwi mose.
  13242. Job 16:3 Mashoko anongova mhepo ane mugumo here? Kana chii chinokurwarisai kuti mupindure?
  13243. Job 16:4 Neniwo ndaitaura semwi kana mweya wenyu waiva pachinzvimbo chemweya weupenyu wangu; ndaiunganidzawo mashoko pamusoro penyu, nekukudzungudzirai musoro wangu.
  13244. Job 16:5 Ndingadai ndaikusimbisai nemuromo wangu, uye kufamba kwemiromo yangu kwaitapudza marwadzo enyu.
  13245. Job 16:6 Kunyange ndichitaura, marwadzo angu haatapudzwi; kana ndichirega, chii chinobva kwandiri?
  13246. Job 16:7 Asi ikozvino iye wandinetesa; iwe waparadza ungano yangu yose.
  13247. Job 16:8 Imwi mandiunyanisa, huve uchapupu; uye kuonda kwangu kwandimukira; kunopupura pachiso changu.
  13248. Job 16:9 Kutsamwa kwake kunobvambura, uye anondivenga; anondigedera mazino ake; muvengi wangu anondirodzera meso ake.
  13249. Job 16:10 Vakandishamisira muromo wavo; mukunyomba vakarova dama rangu; vanoungana pamwe kundirwisa.
  13250. Job 16:11 Mwari anondipa kune vasakarurama, nekundikanda pamaoko evakaipa.
  13251. Job 16:12 Ndaiva pakuzorora, asi iye wakandivhuna; akandibata nemutsipa, ndokundiputsanya; akandimisa kuva chinangwa chemupotseri chake.
  13252. Job 16:13 Vafuri vemiseve vake vanondikomba; anopamura itsvo dzangu, uye haaregi; anodurura nduru yangu pasi.
  13253. Job 16:14 Anondikoromora nekukoromora pamusoro pekukoromora; anomhanyira kwandiri seane simba.
  13254. Job 16:15 Ndakasonera masaga paganda rangu; ndakaroverera runyanga rwangu muguruva.
  13255. Job 16:16 Chiso changu chitsvuku nekuchema, uye pazvidziviro zvemeso zvangu pane mumvuri werufu.
  13256. Job 16:17 Kunyange pasina chikuriri pamaoko angu, uye munyengetero wangu wakachena.
  13257. Job 16:18 Nyika, rega kufukidza ropa rangu; uye kuchema kwangu ngakusava nenzvimbo.
  13258. Job 16:19 Naikozvino, tarirai, chapupu changu chiri kumatenga, uye mupupuri wangu ari panzvimbo dzakakwirira.
  13259. Job 16:20 Shamwari dzangu vanyombi vangu; ziso rangu rinodonhedzera kuna Mwari.
  13260. Job 16:21 Dai kwaiva neanokumbirira munhu kuna Mwari, semwanakomana wemunhu kune wekwake.
  13261. Job 16:22 Nokuti makore mashoma achasvika, uye ndichafamba nzira yandisingazodzoki nayo.
  13262. Job 17:1 Mweya wangu waparara; mazuva angu adzimwa; makuva ndeangu.
  13263. Job 17:2 Vaseki havapo pamwe neni here? Neziso rangu rinogara mukumukira kwavo.
  13264. Job 17:3 Zvino isai chibatiso changu kwamuri; ndiani uyo acharova paruoko rwangu?
  13265. Job 17:4 Nokuti moyo yavo yakavanzwa pakunzwisisa; naizvozvo hamungavakwiridziri.
  13266. Job 17:5 Anotaurira shamwari dzake nekuda kwemubairo, nemeso evana vake achapera.
  13267. Job 17:6 Zvino wakandimisa ndive tsumo yerudzi, kusvika ndava wakasvisvinwa pamberi parwo.
  13268. Job 17:7 Uye ziso rangu rodzedzerera nekuda kwekutambudzika, nemitezo yangu yose yava semumvuri.
  13269. Job 17:8 Vakarurama vachavhunduswa nazvo, neasina mhosva achamukira asingadi Mwari.
  13270. Job 17:9 Zvino wakarurama achabatirira panzira yake, newakachena pamaoko achawedzera simba.
  13271. Job 17:10 Asi imwi mose, dzokai, muuye ikozvino; nokuti handingawani wakachenjera pakati penyu.
  13272. Job 17:11 Mazuva angu apfuura; vavariro dzangu dzadambuka, iyo fuma yemoyo wangu.
  13273. Job 17:12 Vanomisa usiku huve masikati; chiedza chiri pedo pamberi perima.
  13274. Job 17:13 Kana ndichirinda, guva richava imba yangu; ndawaridza mubhedha wangu murima.
  13275. Job 17:14 Ndakadana kuguva ndichiti: Iwe uri baba vangu; kuhonye: Mai vangu nehanzvadzi yangu.
  13276. Job 17:15 Zvino ikozvino tariro yangu iripi? Haiwa tariro yangu, ndiani achaiona?
  13277. Job 17:16 Zvichaburukira kumazariro eguva, patichazorora pamwe muvhu.
  13278. Job 18:1 Zvino Bhiridhadhi muShuhi wakapindura ndokuti:
  13279. Job 18:2 Kusvika rinhi muchiisira mashoko zvidzingi? Cherekedzai, zvino pashure tichataura.
  13280. Job 18:3 Sei tichiverengwa semhuka, takasvibiswa pameso enyu?
  13281. Job 18:4 Iwe mubvaruri wemweya weupenyu wake mukutsamwa kwake: Nyika ingasiiwa nekuda kwako kanhi? Kana dombo ribviswe panzvimbo yaro?
  13282. Job 18:5 Hongu, chiedza chevakaipa chichadzimwa, nerubari rwemoto wake harwuvhenekeri.
  13283. Job 18:6 Chiedza chichasviba mutende rake, nemwenje wake pamusoro pake uchadzimwa.
  13284. Job 18:7 Nhambwe dzesimba rake dzichamanikidzwa, nezano rake richamuwisira pasi.
  13285. Job 18:8 Nokuti anokandwa mumumbure netsoka dzake, anofambawo pamusoro pemuteyo.
  13286. Job 18:9 Muteyo uchamubata nechitsitsinho; rudzingi rwuchamukurira.
  13287. Job 18:10 Chishwe chakamuisirwa muvhu, nemusungo wake panzira.
  13288. Job 18:11 Zvityiso zvichamutyisa mativi ose, uye zvinomudzinganisa patsoka dzake.
  13289. Job 18:12 Simba rake richarumwa nenzara, nenjodzi yakamirira kugumburwa kwake.
  13290. Job 18:13 Ichapedza mitezo yeganda rake; dangwe rerufu richapedza mitezo yake.
  13291. Job 18:14 Tariro yake ichadzurwa patende rake; uye ichamufambisa kuenda kuna mambo wezvityiso.
  13292. Job 18:15 Kuchagara mutende rake risiri rake; sarufa ichasaswa pamusoro penzvimbo yake yekugara.
  13293. Job 18:16 Midzi yake ichaoma pasi, nedavi rake ritemwe kumusoro.
  13294. Job 18:17 Chirangariro chake chichaparara kubva panyika, uye haangavi nezita panzira dzemumusha.
  13295. Job 18:18 Achatinhwa kubva pachiedza kuende kurima; uye achadzingwa kubva panyika.
  13296. Job 18:19 Haangavi nemwana kana chizvarwa pakati pevanhu vake; uye hakungavi nemusiiwa panzvimbo dzake dzekugara.
  13297. Job 18:20 Vanomutevera vachavhunduswa nezuva rake; nevekutanga vachabatwa nezvityiso.
  13298. Job 18:21 Zvirokwazvo, dzakadaro nzvimbo dzekugara dzewakaipa, uye iyi inzvimbo yeasina kuziva Mwari.
  13299. Job 19:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  13300. Job 19:2 Kusvika rinhi muchitambudza mweya weupenyu wangu, nekundipwanya nemashoko?
  13301. Job 19:3 Makandituka kagumi aka; hamunyari zvamunondiitira zvakaipa.
  13302. Job 19:4 Kana zvirokwazvo chiri chokwadi kuti ndatadza, kutadza kwangu kuchagara neni.
  13303. Job 19:5 Kana zvirokwazvo muchizvikudza pamusoro pangu, mupikisane neni nekutukwa kwangu,
  13304. Job 19:6 zivai zvino kuti ndiMwari wakandiminamisa, uye wakandikomberedza nemumbure wake.
  13305. Job 19:7 Tarirai ndinodana ndichiti: Zvakaipa! Asi handipindurwi. Ndinodanidzira, asi hakuna mutongo.
  13306. Job 19:8 Wakashoshera nzira yangu, kuti ndisapfuura; uye wakaisa rima pamakwara angu.
  13307. Job 19:9 Wakandikumura kurumbidzwa kwangu, ndokubvisa korona yemusoro wangu.
  13308. Job 19:10 Wakandiputsa kumativi ose, zvino ndaenda, uye wadzura tariro yangu semuti.
  13309. Job 19:11 Wakanditungidzira kutsamwa kwake, ndokundiverenga kwaari sevavengi vake.
  13310. Job 19:12 Mauto ake anouya pamwe chete, ndokundiunganidzira nzira yawo, ndokudzika matende kupoteredza tende rangu.
  13311. Job 19:13 Wakaisa vamwe vangu kure neni; nevazikanwi vangu zvirokwazvo vava vatorwa kwandiri.
  13312. Job 19:14 Hama dzangu dzanyangarika; nevazikanwi vangu vandikanganwa.
  13313. Job 19:15 Vanogara mumba mangu nevarandakadzi vangu vanondiverenga semutorwa; ndiri mweni pameso avo.
  13314. Job 19:16 Ndakadana muranda wangu, asi haana kupa mhinduro; nemuromo wangu ndakaita mukumbiro kwaari.
  13315. Job 19:17 Mweya wangu unosemesa kumukadzi wangu; ndava chinyangadzo kuvanakomana vechizvaro changu.
  13316. Job 19:18 Nevana vadiki vanondizvidza; ndinosimuka, zvino vanotaura vachirwa neni.
  13317. Job 19:19 Vadikanwi vangu vose vanondisema; nevandanga ndichida vanonditendeukira.
  13318. Job 19:20 Pfupa rangu rinonamatira paganda rangu nepanyama yangu; zvino ndinopona neganda remeno angu.
  13319. Job 19:21 Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imwi shamwari dzangu; nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.
  13320. Job 19:22 Munondishushirei saMwari, uye musingagutsikani nenyama yangu?
  13321. Job 19:23 Haiwa, dai ikozvino mashoko angu ainyorwa! Haiwa, dai aidhindwa pabhuku!
  13322. Job 19:24 Dai aifomborwa nepeni yedare nemutobvu padombo rinhi narinhi.
  13323. Job 19:25 Nokuti ini ndinoziva kuti mudzikunuri wangu mupenyu, uye pakupedzisira achamira paguruva.
  13324. Job 19:26 Mushure ganda rangu raparadza ichi, zvakadaro panyama yangu ndichaona Mwari.
  13325. Job 19:27 Ini wandichazvionera, nemeso angu achaona, kwete umwe. Itsvo dzangu dzapera mukati mangu.
  13326. Job 19:28 Asi munoti: Sei tichidzingana naye? Nokuti mudzi wenyaya unowanikwa mandiri.
  13327. Job 19:29 Imwi ityai munondo, nokuti kutsamwa kunouisa mirango yemunondo, kuti muzive kuti mutongo uripo.
  13328. Job 20:1 Zvino Zofari muNaama wakapindura ndokuti:
  13329. Job 20:2 Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindurisa, uye nekuda kwekukurumidza kwangu kuri mandiri.
  13330. Job 20:3 Ndakanzwa murango wechinyadzo changu; nemweya wekunzwisisa kwangu wakandipindurisa.
  13331. Job 20:4 Unoziva izvi here, kubva kare, kubva zvaiswa munhu panyika,
  13332. Job 20:5 kuti mupururu wevakaipa mupfupi, uye mufaro wemunyepedzeri ndewechinguvana?
  13333. Job 20:6 Kunyange ukuru hwake hukakwirira kusvika kumatenga, uye musoro wake ukananavira kumakore,
  13334. Job 20:7 achaparara nekusingaperi sendove yake. Vakamuona vagoti: Aripi?
  13335. Job 20:8 Achabhururuka sechiroto, uye haangawanikwi; hongu, achadzinganiswa sechiratidzwa cheusiku.
  13336. Job 20:9 Ziso raimuona haringapamhi; nenzvimbo yake haingazomuonizve.
  13337. Job 20:10 Vana vake vachatsvaka kufadza varombo, nemaoko ake achadzosera fuma yake.
  13338. Job 20:11 Mapfupa ake azere simba reujaya hwake, asi acharara paguruva pamwe naye.
  13339. Job 20:12 Kana uipi huchitapira mumuromo wake, achihuviga pasi perurimi rwake,
  13340. Job 20:13 asingahuregedzi, uye asingahusii, asi achihuchengeta mukati memuromo wake.
  13341. Job 20:14 Zvekudya zvake zviri muura hwake zvinoshandurwa; uturu hwenyoka hwuri mukati make.
  13342. Job 20:15 Wakamedza fuma, asi achairutsa; Mwari achaibudisa mudumbu rake.
  13343. Job 20:16 Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi rwuchamuuraya.
  13344. Job 20:17 Haangatarisi nzizi, hova, mipata yeuchi neruomba.
  13345. Job 20:18 Zvaakashandira achazvidzosa, haangazvimedzi; zvichienderana nefuma uchadaro muripo, uye haangafari.
  13346. Job 20:19 Nokuti wakamanikidza, akasiya varombo, akapamba imba yaaiva asina kuvaka.
  13347. Job 20:20 Nokuti haazivi kudzikama mudumbu rake, haangaponesi pachishuwo chake.
  13348. Job 20:21 Hakungasari chinhu pazvekudya zvake; nekuda kweizvozvi chakanaka chake hachingagari.
  13349. Job 20:22 Mukuzara kwekukwana kwake, achava mumanikidzo; ruoko rwumwe nerwumwe rwemutambudziki rwuchamusvikira.
  13350. Job 20:23 Zvichaitika, paanozadza dumbu rake, Mwari achatuma kupfuta kwekutsamwa kwake kwaari, uye achakunaisa pamusoro pake pakudya kwake.
  13351. Job 20:24 Achatiza kubva pachombo chedare; uta hwendarira huchamuboora.
  13352. Job 20:25 Anohuvhomora hobuda pamuviri; hongu nechinopenya chichabuda panduru yake; zvityiso zviri pamusoro pake.
  13353. Job 20:26 Rima rose rakachengeterwa zvinhu zvake zvakavigika; moto usingapfutidzwi uchamupedza; zvichaipira vakasiiwa patende rake.
  13354. Job 20:27 Matenga acharatidza uipi hwake, nenyika ichamumukira.
  13355. Job 20:28 Zvakawanzwa zveimba yake zvichabva, zvikukurwe pazuva rekutsamwa kwake.
  13356. Job 20:29 Uyu mugove wemunhu wakaipa unobva kuna Mwari, nenhaka yaakatemerwa naMwari.
  13357. Job 21:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  13358. Job 21:2 Inzwai muteerere shoko rangu; uye iyi ngaive nyaradzo dzenyu.
  13359. Job 21:3 Ndiitirei moyo murefu, ini nditaure; zvino shure kweizvozvo ndataura, mungatuka.
  13360. Job 21:4 Ini, kunyunyuta kwangu kuri kumunhu here? Zvino kana zvakadaro, sei moyo wangu usingapfupiswi?
  13361. Job 21:5 Nditarirei, mugoshamisika, uye muise ruoko pamuromo.
  13362. Job 21:6 Hongu, pandinorangarira, ndinovhiringidzwa; nekudedera kunobata nyama yangu.
  13363. Job 21:7 Sei vakaipa vachirarama vave vakwegura, zvino vakure pasimba?
  13364. Job 21:8 Mbeu yavo inosimbiswa pamberi pavo pamwe navo, nezvizvarwa zvavo pamberi pemeso avo.
  13365. Job 21:9 Dzimba dzavo dzine rugare pasina kutya, uye pasina shamhu yaMwari pamusoro pavo.
  13366. Job 21:10 Hando yake inokwira isingakonewi; mhou yake inobereka isingasvodzi.
  13367. Job 21:11 Vanobudisa vanana vavo seboka remakwai; uye vana vavo vanotamba.
  13368. Job 21:12 Vanosimudza inzwi nengoma nembira; vanofara neinzwi renyere.
  13369. Job 21:13 Vanopedza mazuva avo muzvakanaka, uye vanoburukira muguva nekubwaira kweziso.
  13370. Job 21:14 Naizvozvo vanoti kuna Mwari: Ibva kwatiri, nokuti hatishuvi ruzivo rwenzira dzako.
  13371. Job 21:15 Wemasimbaose chii kuti timushumire? Zvino tichawanei kana tichinyengetera kwaari?
  13372. Job 21:16 Tarirai, zvakanaka zvavo hazvimo muruoko rwavo; zano revakaipa riri kure neni.
  13373. Job 21:17 Kangani mwenje wevakaipa uchidzimwa, uye kuparadzwa kwavo kuchiuya pamusoro pavo? Anovagovera matambudziko pakutsamwa kwake?
  13374. Job 21:18 Vakaita semashanga pamberi pemhepo, uye sehundi dutu remhepo rainopeperesa?
  13375. Job 21:19 Mwari anoisira vana vake dambudziko rake, anopa kwaari mubairo uye anoziva.
  13376. Job 21:20 Meso ake achaona kuparadzwa kwake, uye achanwa zvekutsamwa kweWemasimbaose.
  13377. Job 21:21 Nokuti mufaro wake chii muimba yake shure kwake, apo uwandu hwemwedzi yake hwagurwa?
  13378. Job 21:22 Aripo achadzidzisa Mwari ruzivo here, nokuti iye anotonga vari pamusoro?
  13379. Job 21:23 Uyu anofa pasimba rake rakaperera, iye wose wakagadzikana, uye ane runyararo.
  13380. Job 21:24 Pombi dzake dzizere nemukaka, nemongo wemapfupa ake wakanyorova.
  13381. Job 21:25 Zvino umwe anofa ane mweya weupenyu unorwadza, asina kudya zvezvakanaka.
  13382. Job 21:26 Vacharara pamwe muguruva, uye honye dzichavafukidza.
  13383. Job 21:27 Tarirai ndinoziva ndangariro dzenyu, nemazano amunondikanganisa nawo.
  13384. Job 21:28 Nokuti munoti: Iripi imba yemuchinda? Uye riripi tende renzvimbo dzekugara dzevakaipa?
  13385. Job 21:29 Hamuna kubvunza here vanopfuura nenzira, uye hamuzivi zviratidzo zvavo here?
  13386. Job 21:30 Kuti wakaipa anoregerwa pazuva rekuparadzwa; vachauiswa nezuva rekutsamwa.
  13387. Job 21:31 Ndiani achazivisa nzira yake pachiso chake? Ndiani achatsiva zvaakaita?
  13388. Job 21:32 Zvakadaro iye achauiswa kuguva, uye murwi wake ucharindwa.
  13389. Job 21:33 Mavhinga emupata anomutapirira, uye anokweva vanhu vose shure kwake; sezvo vasingaverengeki vari mberi kwake.
  13390. Job 21:34 Zvino munondinyaradza sei nezvisina maturo, nokuti pamhinduro dzenyu kwasara manyepo?
  13391. Job 22:1 Zvino Erifazi muTemani wakapindura ndokuti:
  13392. Job 22:2 Ko munhu angabatsira Mwari here? Nokuti wakachenjera iye angazvibatsira pachake.
  13393. Job 22:3 Mufaro here kune Wemasimbaose kuti wakarurama? Kana rubatsiro kuti wakapedzeredza nzira dzako?
  13394. Job 22:4 Angakutsiura here nekuda kwekutya kwako? Achapinda newe kumutongo?
  13395. Job 22:5 Uipi hwako hahusi ukuru here, nezvivi zvako hazvina mugumo?
  13396. Job 22:6 Nokuti wakatora chibatiso kuhama yako pasina, uye wakakumura nguvo dzeavo vakashama.
  13397. Job 22:7 Hauna kunwisa mvura wakaneta, uye kune ane nzara wakanyima zvekudya.
  13398. Job 22:8 Asi munhu ane simba, nyika ndeyake, neanogamuchirika pachiso wakagara mairi.
  13399. Job 22:9 Wakaendesa chirikadzi dzisina chinhu, nemaoko enherera akapwanyiwa.
  13400. Job 22:10 Naizvozvo misungo yakakupoteredza, nekuvhunduka kunokutyisa pakarepo.
  13401. Job 22:11 Kana rima, kuti usaona, uye mvura zhinji inokufukidza.
  13402. Job 22:12 Ko Mwari haako kwakakwirira kwematenga here? Zvino ona nhongonya yenyeredzi, kuti dzakakwirira.
  13403. Job 22:13 Asi iwe unoti: Mwari anoziva sei? Anotonga nemugore dema here?
  13404. Job 22:14 Makore matema chifunhiro chake kuti asaona; uye anofamba padenderedzwa rematenga.
  13405. Job 22:15 Wakaongorora nzira yekare here, vanhu vakaipa yavakatsika pairi?
  13406. Job 22:16 Avo vakabvutwa nguva isati yavapo; mafashame akadururwa pamusoro penheyo dzavo.
  13407. Job 22:17 Avo vanoti kuna Mwari: Ibvai kwatiri. NeWemasimbaose wakaitei kwavari?
  13408. Job 22:18 Zvino iye wakazadza dzimba dzavo nezvakanaka; asi zano revakaipa riri kure neni.
  13409. Job 22:19 Vakarurama vanoona, uye vanofara; uye vasina mhosva vanovaseka.
  13410. Job 22:20 Zvirokwazvo, muvengi wedu waparadzwa, nemoto wapedza musiiwa wavo.
  13411. Job 22:21 Shamwaridzana hako naye, uye uve nerugare; nezvinhu izvi zvakanaka zvichauya kwauri.
  13412. Job 22:22 Gamuchira hako murairo kubva mumuromo wake, uye uise mashoko ake mumoyo mako.
  13413. Job 22:23 Kana ukadzokera kune Wemasimbaose, uchavakwa; ubvisire kuipa kure netende rako.
  13414. Job 22:24 Zvino uchaisa goridhe paguruva, negoridhe reOfiri pabwe rehova.
  13415. Job 22:25 Ipapo Wemasimbaose achava goridhe rako, nesirivha rakanyatsosanangurwa kwauri.
  13416. Job 22:26 Nokuti ipapo uchazvifadza mune Wemasimbaose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
  13417. Job 22:27 Uchanyengetera kwaari, zvino achakunzwa, uye uchazadzisa mhiko dzako.
  13418. Job 22:28 Uchatemawo nyaya, uye ichasimbiswa kwauri; uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.
  13419. Job 22:29 Kana vachiwisirwa pasi, zvino uchati: Pamusoro! Zvino achaponesa wakaderera pameso.
  13420. Job 22:30 Achanunura asiri wakachena; uye achanunurwa nekuchena kwemaoko ake.
  13421. Job 23:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  13422. Job 23:2 Kunyange nhasi gunun’uno yangu inorwadza; ruoko rwangu rwunorema pamusoro pekugomera kwangu.
  13423. Job 23:3 Haiwa, dai ndaiziva kwandingamuwana. Ndaiuya panzvimbo yake.
  13424. Job 23:4 Ndairongedza nyaya yangu pamberi pake, ndokuzadza muromo wangu nenharo.
  13425. Job 23:5 Ndinoziva mashoko aanondipindura, uye ndinonzwisisa zvaachareva kwandiri.
  13426. Job 23:6 Achandipikisa neukuru hwesimba here? Kwete, asi iye achaisa moyo wake kwandiri.
  13427. Job 23:7 Ipapo wakarurama angapikisana naye; naizvozvo ndainunurwa rinhi narinhi pamutongi wangu.
  13428. Job 23:8 Tarira, ndinoenda mberi, asi haapo; uye shure, asi handimunzwisisi.
  13429. Job 23:9 Kuruboshwe pakushanda kwake, asi handimutariri; anozvivanza parudyi, uye handimuoni.
  13430. Job 23:10 Asi anoziva nzira neni; ngaandiidze; ndichabuda segoridhe.
  13431. Job 23:11 Rutsoka rwangu rwakabatirira paakatsika; ndakachengeta nzira yake, uye handina kutsauka.
  13432. Job 23:12 Handina kubva pamurairo wemiromo yake; ndakakoshesa mashoko emuromo wake kupfuura mugove wangu.
  13433. Job 23:13 Asi iye ari pane chimwe, uye ndiani anomudzosera shure? Uye anoita zvinoda mweya weupenyu wake.
  13434. Job 23:14 Nokuti anopedza zvandakatemerwa; nezvizhinji zvakadai zviri kwaari.
  13435. Job 23:15 Naizvozvo ndinovhunduka pamberi pake; ndinofunga, ndinomutya.
  13436. Job 23:16 Nokuti Mwari anoita moyo wangu upere simba, uye Wemasimbaose wakandivhundusa.
  13437. Job 23:17 Nokuti handina kugurwa pamberi perima, uye wakafukidza rima pachiso changu.
  13438. Job 24:1 Sei nguva dzisina kuvanzirwa Wemasimbaose, uye vanomuziva vasingaoni mazuva ake?
  13439. Job 24:2 Vanoshandura miganhu; vanopamba mapoka emakwai vachiafudza.
  13440. Job 24:3 Vanotinha mbongoro yenherera; vanotora nzombe yechirikadzi kuita chibatiso.
  13441. Job 24:4 Vanotsausa vanoshaiwa kubva panzira; varombo venyika vanovanda pamwe.
  13442. Job 24:5 Tarira, imbongoro dzemusango murenje, vanobudira kubasa ravo, vachitsvaka chijimbiwa nekushingaira; renje rive zvekudya zvake nezvevana.
  13443. Job 24:6 Mumunda vanokohwa mashanga ake, vanofuhurudza munda wemizambiringa wewakaipa.
  13444. Job 24:7 Vanorara usiku vakashama vasina zvipfeko, uye vasina chifukidzo muchando.
  13445. Job 24:8 Vakanyorova nekupfunha kwemakomo, uye vanobatirira pabwe nekuda kwekushaiwa utiziro.
  13446. Job 24:9 Vanobvuta nherera pazamu, nekutora chibatiso pamurombo.
  13447. Job 24:10 Vanofamba vakashama vasina chipfeko, uye vane nzara vanotakura chisote.
  13448. Job 24:11 Pakati pemasvingo vanosvina mafuta, vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vane nyota.
  13449. Job 24:12 Vanhu vanogomera vari muguta, uye mweya weupenyu wevakakuvadzwa unochema; asi Mwari haavaverengeri kusarurama.
  13450. Job 24:13 Ndivo vari pakati pevanomukira chiedza; havazivi nzira dzake, uye havagari pamakwara ake.
  13451. Job 24:14 Muurayi anomuka pamambakwedza, anouraya murombo neanoshaiwa; uye pausiku wakaita sembavha.
  13452. Job 24:15 Zisowo remhombwe rinomirira rubvunzavaeni, ichiti: Hakuna ziso richandiona; ndokuisa chifukidzo pachiso.
  13453. Job 24:16 Murima vanochera nemudzimba dzavanoisa mucherekedzo masikati; havazivi chiedza.
  13454. Job 24:17 Nokuti pamwechete mangwanani irima rerufu kwavari; nokuti vanoziva zvityiso zvemumvuri werufu.
  13455. Job 24:18 Wakareruka pachiso chemvura; mugove wavo wakatukwa panyika; haatendeuki panzira yeminda yemizambiringa.
  13456. Job 24:19 Kuoma nekupisa kunopedza mvura yemagada echando, saizvozvo Sheori vakatadza.
  13457. Job 24:20 Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa naye; haachazorangarirwizve; neuipi huchagurwa semuti.
  13458. Job 24:21 Iye unodya mhanje isingabereki; uye haaitiri chirikadzi zvakanaka.
  13459. Job 24:22 Uye anokweva vane simba nesimba rake; anomuka, uye haana chokwadi neupenyu.
  13460. Job 24:23 Anomupa kuchengetedzeka, paanosendama, asi meso ake ari pamusoro penzira dzavo.
  13461. Job 24:24 Vanokudzwa kwechinguvana, ndokuva vasipo; vachideredzwa; vanovharirwa sevose; uye semusoro wehura yezviyo vanogurwa.
  13462. Job 24:25 Zvino kana zvisina kudaro, ndiani angandiita murevi wenhema, aite nhauro yangu ishaye maturo?
  13463. Job 25:1 Zvino Bhiridhadhi muShuhi wakapindura ndokuti:
  13464. Job 25:2 Utongi nekutyisa zvinaye; achiita rugare panzvimbo dzake dzakakwirira.
  13465. Job 25:3 Kune uwandu here kumauto ake? Uye ndiani kusingabudiri kwaari chiedza chake?
  13466. Job 25:4 Zvino munhu angava wakarurama sei kuna Mwari? Kana wakaberekwa nemukadzi angachena sei?
  13467. Job 25:5 Tarira, kusvika kumwedzi, uye haubwinyi; nenyeredzi hadzina kuchena pameso pake.
  13468. Job 25:6 Zvishoma sei munhu, ari honye! Nemwanakomana wemunhu, ari gonye!
  13469. Job 26:1 Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
  13470. Job 26:2 Wakamubatsira sei uyo asina kugwinya, ukaponesa ruoko rwusina simba?
  13471. Job 26:3 Wakapa mazano sei uyo asina kuchenjera, nekududzira zvakawanda ruzivo rwechokwadi!
  13472. Job 26:4 Wakataura mashoko kuna ani? Uye mweya waani unobuda kubva kwauri?
  13473. Job 26:5 Vakafa vanodedera pasi pemvura, nevagari vemairi.
  13474. Job 26:6 Gehena rakashama pamberi pake, nemharadzo haina chifukidzo.
  13475. Job 26:7 Anotatamura maodzanyemba pamusoro penzvimbo isina chinhu; aturike nyika pamusoro pepasina.
  13476. Job 26:8 Anosungira mvura mumakore makobvu ake; asi gore haribvaruki pasi payo.
  13477. Job 26:9 Anofukidza chiso chechigaro chake cheushe; achiwaridza gore pamusoro pacho.
  13478. Job 26:10 Wakatara muganhu uri denderedzwa pamusoro pemvura, kusvika pakupedzisira kwechiedza nerima.
  13479. Job 26:11 Mbiru dzematenga dzinodedera, uye dzinovhunduka nekutsiura kwake.
  13480. Job 26:12 Anonyaradza gungwa nesimba rake, uye nenjere dzake anoparadza kuzvikudza.
  13481. Job 26:13 Nemweya wake wakashongedza matenga; ruoko rwake rwakabaya nyoka inotiza.
  13482. Job 26:14 Tarira, iyi mipendero yenzira dzake; uye zevezeve reshoko ratakanzwa nezvake chii! Ko mutinhiro wesimba rake ndiani angaunzwisisa?
  13483. Job 27:1 Zvino Jobho wakapfuura kusimudzira dimikira rake ndokuti:
  13484. Job 27:2 NaMwari mupenyu, wakabvisa mutongo wangu, neWemasimbaose, wakarwadzisa mweya weupenyu wangu;
  13485. Job 27:3 zvirokwazvo nguva yose mweya weupenyu wangu uchiri mandiri, nemweya weupenyu waMwari uri mumhino dzangu;
  13486. Job 27:4 zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvakaipa, uye rurimi rwangu harwurevi unyengeri.
  13487. Job 27:5 Ngazvive kure neni kuti nditi makarurama; kusvika ndapera handingabvisi uchokwadi hwangu kwandiri.
  13488. Job 27:6 Ndinobatirira pakururama kwangu, uye handikuregi; moyo wangu haungatuki pamazuva angu.
  13489. Job 27:7 Muvengi wangu ngaave sewakaipa, neanondimukira seasina kururama.
  13490. Job 27:8 Nokuti tariro yeasingatyi Mwari chii, kana agurwa, Mwari paanovhomora mweya weupenyu wake?
  13491. Job 27:9 Mwari achanzwa kuchema kwake here kana dambudziko rauya paari?
  13492. Job 27:10 Achazvifadza here mune Wemasimbaose? Achadana Mwari nenguva dzose here?
  13493. Job 27:11 Ndichakudzidzisai neruoko rwaMwari; zviri kune Wemasimbaose handingavanzi.
  13494. Job 27:12 Tarirai imwi mose makaona; zvino sei seizvi makashaya maturo zvekushaya maturo?
  13495. Job 27:13 Uyu mugove wemunhu wakaipa kuna Mwari, nenhaka yevavhundusi yavachagamuchira kuna Wemasimbaose.
  13496. Job 27:14 Kana vana vake vachiwanda, ndezvemunondo; uye zvizvarwa zvake hazvingaguti chingwa.
  13497. Job 27:15 Vasiiwa vake vachavigwa pakufa, nechirikadzi dzake hadzingachemi misodzi.
  13498. Job 27:16 Kunyange akadurikidza sirivha seguruva, achigadzira chipfeko sevhu;
  13499. Job 27:17 angagadzirira, asi wakarurama achazvifuka, uye asina mhosva achagova sirivha.
  13500. Job 27:18 Anovaka imba yake sechipfukuto, uye sechirindo murindi chaanoita.
  13501. Job 27:19 Anorara pasi wakafuma, asi haaunganidzwi; anozarura meso ake, asi haachipo.
  13502. Job 27:20 Zvityiso zvichamubata semvura; dutu remhepo rinomuba usiku.
  13503. Job 27:21 Mhepo yekumabvazuva inomutora, iye ndokuenda; inomupeperesa abve panzvimbo yake.
  13504. Job 27:22 Nokuti achapotsera pamusoro pake asingaregi; achatiza zvekutiza kubva paruoko rwake.
  13505. Job 27:23 Vanhu vacharova maoko avo pamusoro pake, nekumuridzira nyere abve panzvimbo yake.
  13506. Job 28:1 Zvirokwazvo pane mugodhi wesirivha, nenzvimbo yegoridhe pavanonatsa.
  13507. Job 28:2 Simbi inotorwa muvhu, nendarira inonyunguduswa pabwe.
  13508. Job 28:3 Anotarira rima mugumo, uye anotsvakisisa kusvika pakuperera kose, mabwe erima nemumvuri werufu.
  13509. Job 28:4 Anopamura mugodhi kure nepanogara vanhu, vanokanganikwa nerutsoka; vanorembera vachizeya uku nekuku kure nevanhu.
  13510. Job 28:5 Nyika, mairi munobuda zvekudya, uye pasi payo pashanduka kuita semoto.
  13511. Job 28:6 Mabwe ayo inzvimbo yesafuri, uye ine guruva regoridhe.
  13512. Job 28:7 Nzira gondo raisingazivi, neziso rerukodzi harina kuiona.
  13513. Job 28:8 Imbwanana dzinozvikudza hadzina kuitsika; shumba inotyisa haina kupfuura nepo.
  13514. Job 28:9 Anotandavadzira ruoko rwake pabwe rakaoma, anopidigura makomo nemidzi yawo.
  13515. Job 28:10 Anopamura migero pamabwe; neziso rake rinoona chose chinokosha.
  13516. Job 28:11 Anosunga nzizi dzirege kuvhinza; nezvakavanzika anobudisira pachiedza.
  13517. Job 28:12 Asi uchenjeri huchawanikwa huchibvepi? Nenzvimbo yekunzwisisa iripi?
  13518. Job 28:13 Munhu haazivi urongwa hwaho; uye hahuwanikwi panyika yevapenyu.
  13519. Job 28:14 Udziku hunoti: Hahwusi mandiri; negungwa rinoti: Hahwusi pamwe neni.
  13520. Job 28:15 Goridhe haringapiwi pachinzvimbo chaho, uye sirivha haingayerwi kuva mutengo waho.
  13521. Job 28:16 Hahungaenzaniswi negoridhe reOfiri, neonikisi inokosha nesafiri.
  13522. Job 28:17 Goridhe negirazi hazvingaenzani nahwo; uye hahungatsinhaniswi nemudziyo wegoridhe rakanatswa.
  13523. Job 28:18 Korari nekiristari hazvingarangarirwi, nokuti mutengo weuchenjeri uri pamusoro pemabwe anokosha.
  13524. Job 28:19 Topazi yeItiyopiya haingaenzani nahwo; haungaenzaniswi negoridhe rakanatswa.
  13525. Job 28:20 Zvino uchenjeri hwunobvepi? Nenzvimbo yekunzwisisa iripi?
  13526. Job 28:21 Zvahwakavanzwa kubva pameso evapenyu vose, nekuvigwa kushiri dzekumatenga.
  13527. Job 28:22 Kuparadza nerufu zvakati: Takanzwa nenzeve dzedu mukurumbira wahwo.
  13528. Job 28:23 Mwari anonzwisisa nzira yahwo, uye iye anoziva nzvimbo yahwo.
  13529. Job 28:24 Nokuti iye anotarira kumigumo yenyika, anoona pasi pematenga ose;
  13530. Job 28:25 kuitira mhepo uremu, uye anoyera dzimvura nechiyero.
  13531. Job 28:26 Paanenge aitira mvura chirevo, nemheni yemutinhiro nzira.
  13532. Job 28:27 Panguva iyo akahwuona, ndokuhwududzira; akahwugadzirira, nekuhwunzverawo.
  13533. Job 28:28 Zvino wakati kumunhu: Tarira, kutya Ishe, ihwu uchenjeri; nekubva pazvakaipa kunzwisisa.
  13534. Job 29:1 Zvino Jobho wakapfuura kusimudzira dimikira rake ndokuti:
  13535. Job 29:2 Haiwa, dai ndaiva sepamwedzi yekare, sepamazuva Mwari akandichengetedza.
  13536. Job 29:3 Pakuvhenekesa kwake mwenje wake pamusoro wangu; nechiedza chake ndakafamba murima.
  13537. Job 29:4 Sezvandaiva pamazuva ekuibva kwangu, zano raMwari paraiva pamusoro petende rangu.
  13538. Job 29:5 Wemasimbaose paaiva achiri neni, nevana vangu vakandipoteredza.
  13539. Job 29:6 Pandaisuka matsimba angu neruomba, uye ibwe richindidururira nzizi dzemafuta.
  13540. Job 29:7 Pandaibuda kuenda kusuwo nemuguta, ndakagadzira chigaro changu padare.
  13541. Job 29:8 Majaya akandiona ndokuvanda, nevatana vakasimuka vakamira.
  13542. Job 29:9 Machinda akarega kutaura, ndokuisa ruoko pamuromo wawo.
  13543. Job 29:10 Inzwi revakuru rakavanda, nerurimi rwavo rwakanamatira kumusoro kwemukanwa wavo.
  13544. Job 29:11 Nzeve payainzwa, ndokunditi ndakaropafadzwa; neziso rakaona rikandipupurira.
  13545. Job 29:12 Nokuti ndainunura murombo anochema, nenherera, neasina mubatsiri.
  13546. Job 29:13 Ropafadzo yewotandadza yakauya pamusoro pangu, uye ndakaita moyo wechirikadzi uimbe nemufaro.
  13547. Job 29:14 Ndapfeka kururama, naiko kwakandifukidza; kururamiswa kwangu kwakava senguvo nekorona.
  13548. Job 29:15 Ndaiva meso kumapofu, uye ndaiva tsoka kumhetamakumbo.
  13549. Job 29:16 Ndaiva baba kune vanoshaiwa; nenyaya yandisingazivi ndakainzvera.
  13550. Job 29:17 Ndakavhuna mazino ewakaipa, nekukanda chaakajimba kubva pameno ake.
  13551. Job 29:18 Zvino ndakati: Ndichapera nedendere rangu, ndipamhidzire mazuva sejecha.
  13552. Job 29:19 Mudzi wangu wakatanda kusvika kumvura, nedova rinorara usiku padavi rangu.
  13553. Job 29:20 Rukudzo rwangu rwutsva mandiri, neuta hwangu muruoko rwangu hwavandudzika.
  13554. Job 29:21 Kwandiri vakateerera, ndokumirira, ndokunyarara pazano rangu.
  13555. Job 29:22 Shure kweshoko rangu havana kudzokorora, nenhau yangu yakadonhera pamusoro pavo.
  13556. Job 29:23 Uye vakandimirira semvura, uye muromo wavo vakaushamisira kwazvo mvura yekupedzisira.
  13557. Job 29:24 Pandakavaseka, havana kutenda; nechiedza chechiso changu havana kuwisira pasi.
  13558. Job 29:25 Ndakavasarudzira nzira, ndikagara pamusoro, ndokugara samambo pakati pehondo yakarongwa, seanonyaradza vanochema.
  13559. Job 30:1 Zvino ikozvino vadiki kwandiri pamazuva vanondiseka, ivo madzibaba avo andaishora kuvaisa pamwe nembwa dzeboka rangu.
  13560. Job 30:2 Ko, simba remaoko avo ringava kwandiri here? Kuibva kwapera mavari.
  13561. Job 30:3 Nekushaiwa uye nenzara vakaonda; avo vanotetena nzvimbo yakaoma, munguva dzapfuura raiva renje negwenga.
  13562. Job 30:4 Vanotanha mirivo inovava pamakwenzi; nemidzi yemuti wemurara iri zvekudya zvavo.
  13563. Job 30:5 Vanodzingwa kubva pakati pevanhu; vanovasveverera sembavha;
  13564. Job 30:6 kuti vagare pamawere emipata, makomba evhu, nemabwe.
  13565. Job 30:7 Vanodanidzira pakati pemakwenzi; vanoungana pasi perukato.
  13566. Job 30:8 Vana vezvituta, hongu, vana vasina zita; vakarohwa kubva panyika.
  13567. Job 30:9 Zvino ikozvino ndava rumbo rwavo, hongu, ndava shumo kwavari.
  13568. Job 30:10 Vanondisema, vanomira kure neni, uye pachiso changu havana kurega kupfira.
  13569. Job 30:11 Nokuti wakasunungura rukungiso rwangu ndokundimanikidza; naizvozvo vakarasa tomu pamberi pangu.
  13570. Job 30:12 Kurudyi vadiki vakaipa vanosimuka, vanosunda tsoka dzangu, uye vanondimutsira nzira dzavo dzekuparadza.
  13571. Job 30:13 Vanokoromora nzira yangu; vanofambisira mberi kuparadzwa kwangu; havana mubatsiri.
  13572. Job 30:14 Vanouya sevanopoya pakakoromoka pakafara; vanozvikungurutsa pakati pepakaparara.
  13573. Job 30:15 Zvityiso zvinondishandukira; vanodzingana nerukudzo rwangu semhepo, nekugarika kwangu kunopfuura segore.
  13574. Job 30:16 Zvino ikozvino mweya weupenyu wangu unozvidururira mandiri; mazuva emarwadzo andibata.
  13575. Job 30:17 Pausiku mapfupa angu anobaiwa mandiri, uye zvinonditetena hazvizorori.
  13576. Job 30:18 Nesimba guru nguvo yangu yashandurwa; rinondisunga semuromo wenguvo yangu refu.
  13577. Job 30:19 Wakandikanda mumatope, uye ndava seguruva nedota.
  13578. Job 30:20 Ndinochema kwamuri, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa.
  13579. Job 30:21 Mashanduka mukava neutsinye kwandiri; nesimba reruoko rwenyu mune daka neni.
  13580. Job 30:22 Munondisimudzira mumhepo, munonditasvisa iyo; nekundinyungudusa mudutu remhepo.
  13581. Job 30:23 Nokuti ndinoziva kuti muchandidzosera kurufu, nekuimba yakatarirwa vapenyu vose.
  13582. Job 30:24 Asi munhu haangatandavadziri ruoko kuguva, kana pakuparadzwa kwake achemere rubatsiro?
  13583. Job 30:25 Handina kuchemera misodzi waiva nemazuva akaoma? Mweya weupenyu wangu hauna kurwadzirwa waishaiwa here?
  13584. Job 30:26 Pandakatarisira chakanaka, ipapo kwakauya chakaipa; uye ndakatarisira chiedza, asi rima ndokuuya.
  13585. Job 30:27 Ura hwangu hunovira, uye hahuzorori; mazuva emarwadzo anditungamirira.
  13586. Job 30:28 Ndakafamba ndichichema kusina zuva; ndakasimuka paungano, ndakachemera rubatsiro.
  13587. Job 30:29 Ndava hama kumabukanana, neshamwari yemazizi.
  13588. Job 30:30 Ganda rangu rakasviba pamusoro pangu, nepfupa rangu rakatsva nekupisa.
  13589. Job 30:31 Uye mbira yangu yava mariro, nenyere yangu inzwi revanochema misodzi.
  13590. Job 31:1 Ndakaita sungano nemeso angu; zvino ndingatarira musikana sei?
  13591. Job 31:2 Nokuti mugove waMwari unobva kwakakwirira chii, nenhaka yeWemasimbaose inobva kunzvimbo dzekumusoro?
  13592. Job 31:3 Mharadzo haisi yewakaipa here, nenjodzi kuvaiti vezvakaipa?
  13593. Job 31:4 Iye haaoni nzira dzangu here, nekuverenga nhambwe dzangu dzose?
  13594. Job 31:5 Kana ndichifamba nezvisina maturo, kana dai rutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera.
  13595. Job 31:6 Ngandiyerwe pachiyero chakarurama, kuti Mwari azive uchokwadi hwangu.
  13596. Job 31:7 Kana tsimba rangu ratsauka kubva munzira, nemoyo wangu watevera meso angu, kana dai pane gwapa rakanamatira pamaoko angu.
  13597. Job 31:8 Ngandidzvare, asi umwe adye, hongu zvibereko zvangu ngazvidzurwe.
  13598. Job 31:9 Kana moyo wangu wanyengerwa nemunhukadzi, kana ndavandira pamukova wemuvakidzani wangu,
  13599. Job 31:10 mukadzi wangu ngaakuyire umwe, nevamwe ngavakotame pamusoro pake.
  13600. Job 31:11 Nokuti icho chinhu chakashata kwazvo, zvirokwazvo, ndechakaipa pavatongi.
  13601. Job 31:12 Nokuti ndiwo moto unopedza kusvika pakuparadza, uye pazvibereko zvangu zvose unodzura.
  13602. Job 31:13 Kana ndakazvidza nyaya yemuranda wangu kana yemurandakadzi wangu, pavakapikisana neni.
  13603. Job 31:14 Zvino ndichaitei Mwari paanosimuka? Nepaanoshanya, ndichamupindura chii?
  13604. Job 31:15 Wakandiita mudumbu haasi iye wakamuita here? Hongu, umwe chete wakatiumba mudumbu.
  13605. Job 31:16 Kana ndakarega murombo pachishuwo, kana kunetesa meso echirikadzi.
  13606. Job 31:17 Kana ndakadya chimedu changu ndiri ndoga, uye nherera isina kudya pachiri.
  13607. Job 31:18 Nokuti kubva paudiki hwangu yakakurira kwandiri sababa, uye ndakamutungamirira kubva pachizvaro chamai vangu.
  13608. Job 31:19 Kana ndakaona oparara nekushaiwa chipfeko, kana murombo asina chifukidzo;
  13609. Job 31:20 kana chiuno chake chisina kundirumbidza nokuti wakadziiswa nemvere dzemakwai angu;
  13610. Job 31:21 kana ndakasimudzira ruoko rwangu nherera, pandakaona rubatsiro rwangu pasuwo;
  13611. Job 31:22 fudzi rangu ngariwe pabendekete rangu, neruoko rwangu rwuvhunike kubva papfupa.
  13612. Job 31:23 Nokuti mharadzo yaMwari chityiso kwandiri, uye nekuda kweukuru hwake handigoni.
  13613. Job 31:24 Kana ndakaita goridhe tariro yangu, kana ndakati kugoridhe rakanatswa: Chivimbo changu.
  13614. Job 31:25 Kana ndakafara nokuti fuma yangu yakawanda, uye nokuti ruoko rwangu rwakawana zvizhinji.
  13615. Job 31:26 Kana ndakatarisa zuva parinobwinya, kana mwedzi uchifamba pakuchena,
  13616. Job 31:27 nemoyo wangu wakakwezvewa pachivande, kana ruoko rwangu rwakatsvoda muromo wangu;
  13617. Job 31:28 ichiwo chitadzo pamutongi, nokuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.
  13618. Job 31:29 Kana ndakafara pakuparadzwa kweanondivenga, kana ndakapemberera chakaipa pachakamuwana.
  13619. Job 31:30 Uye ndisina kutendera muromo wangu kutadza nekukumbira mweya weupenyu wake nechakatukwa.
  13620. Job 31:31 Kana vanhu vetende rangu vasina kureva vachiti: Dai paiva neumwe asina kugutswa nenyama yake.
  13621. Job 31:32 Mweni haana kurara usiku panzira yemumusha; ndakazarurira mikova yangu kumufambi.
  13622. Job 31:33 Dai ndakafukidza chitadzo changu saAdhamu, nekuviga kuipa kwangu muchipfuva changu.
  13623. Job 31:34 Nokuti ndakatya chaunga chikuru, nekushovorwa neverudzi kwakandityisa, naizvozvo ndakanyarara, handina kubuda pamukova.
  13624. Job 31:35 Haiwa, dai ndaiva neanondinzwa! Tarirai, mucherechedzo wangu. Dai Wemasimbaose andipindura; uye kuti mupikisi wangu dai anyora rugwaro!
  13625. Job 31:36 Zvirokwazvo, ndairwutakura pafudzi rangu; ndairwusunga rwukava korona kwandiri.
  13626. Job 31:37 Ndaimududzira uwandu hwenhambwe dzangu; semuchinda ndaiswedera kwaari.
  13627. Job 31:38 Kana ivhu rangu richindichemera, kana mihoronga yaro pamwe chete ichichema;
  13628. Job 31:39 kana ndakadya simba raro pasina mari, kana ndakaita mweya weupenyu wevaridzi varo upere;
  13629. Job 31:40 utumbambeva ngahumere pachinzvimbo chegorosi, nesora rinonhuhwa pachinzvimbo chebhari. Mashoko aJobho apera.
  13630. Job 32:1 Zvino varume ava vatatu vakaguma kupindura Jobho, nokuti waiva akarurama pameso pake.
  13631. Job 32:2 Zvino dzakapfuta hasha dzaErihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, werudzi rwaRami; hasha dzake ndokupfutira Jobho nokuti waizviti mweya weupenyu wakarurama kupfuura Mwari.
  13632. Job 32:3 Uye hasha dzake dzakapfutira shamwari dzake nhatu, nokuti vaiva vashaiwa mhinduro, zvakadaro vakapa Jobho mhosva.
  13633. Job 32:4 Zvino Erihu waiva akamirira Jobho pamashoko, nokuti vaiva vakuru kwaari pamazuva.
  13634. Job 32:5 Erihu paakaona kuti hapana mhinduro pamuromo wevarume ava vatatu, hasha dzake ndokupfuta.
  13635. Job 32:6 Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura ndokuti: Ndiri mudiki pamazuva asi imwi muri vakuru; saka ndakazvidzora ndikatya kukuzivisai pfungwa yangu.
  13636. Job 32:7 Ndakati: Mazuva ngaataure, neuwandu hwemakore hudzidzise uchenjeri.
  13637. Job 32:8 Zvirokwazvo mweya urimo mumunhu, nekufema kweWemasimbaose kunovapa kunzwisisa.
  13638. Job 32:9 Havazi vakuru vakachenjera, kana vatana vanonzwisisa mutongo.
  13639. Job 32:10 Naizvozvo ndakati: Teererai kwandiri; neniwo ndicharatidza pfungwa yangu.
  13640. Job 32:11 Tarirai, ndakamirira mashoko enyu; ndakapa nzeve kukunzwisisa kwenyu, pamaitsvaka mashoko.
  13641. Job 32:12 Zvirokwazvo ndakateerera kwamuri, zvino tarirai, hakuna pakati penyu wakapwisa Jobho, wakapindura mashoko ake.
  13642. Job 32:13 Zvimwe mungati: Tawana uchenjeri, ndiMwari achamudzinga, kwete munhu.
  13643. Job 32:14 Asi haana kundirongedzera mashoko, uye nemashoko enyu handingamupinduri.
  13644. Job 32:15 Vakashamiswa, havachapinduri; vakabvisa manzwi kwavari.
  13645. Job 32:16 Zvino ndakamirira, asi havana kutaura, nokuti vakamira, havana kuzopindura.
  13646. Job 32:17 Neni ndichapindura chikamu changu, neni ndicharatidza pfungwa yangu.
  13647. Job 32:18 Nokuti ndizere nemashoko; mweya wedumbu rangu unondishungurudza.
  13648. Job 32:19 Tarirai, dumbu rangu rakaita sewaini isina kuvhurwa, sehombodo itsva richaparuka.
  13649. Job 32:20 Ndichataura, kuti ndiremudzwe; ndichashamisa miromo yangu ndigopindura.
  13650. Job 32:21 Ndirege hangu kugamuchira chiso chemunhu, uye handipi zita kumunhu.
  13651. Job 32:22 Nokuti handizivi kupa mazita; muiti wangu anondibvisa nekukurumidza.
  13652. Job 33:1 Zvakadaro Jobho, donzwa hako nhaurwa dzangu, uye ipa nzeve kumashoko angu ose.
  13653. Job 33:2 Tarirai ikozvino, ndashamisa muromo wangu; rurimi rwangu rwataura mumukanwa mangu.
  13654. Job 33:3 Mashoko angu kururama kwemoyo wangu; uye miromo yangu ichataura ruzivo zvakajeka.
  13655. Job 33:4 Mweya waMwari wakandiita, uye kufema kweWemasimbaose kunondipa upenyu.
  13656. Job 33:5 Kana uchikwanisa, ndipindure, rongera pamberi pangu, usimuke.
  13657. Job 33:6 Tarira, ndakaita sewe kuna Mwari; neni ndakaumbwa kubva pavhu.
  13658. Job 33:7 Tarira, kutyisa kwangu hakungakutyisii, uye kutsikirira kwangu hakungaremi pamusoro pako.
  13659. Job 33:8 Zvirokwazvo, makataura munzeve dzangu, uye ndakanzwa inzwi remashoko richiti:
  13660. Job 33:9 Ndakashambidzika pasina chitadzo, ndakachena, uye hamuna chakaipa mandiri.
  13661. Job 33:10 Tarirai, anowana mikana yekundirwisa, anondiverengera kuva muvengi wake.
  13662. Job 33:11 Anoisa tsoka dzangu mumatanda; anocherechedza nzira dzangu dzose.
  13663. Job 33:12 Tarira, pane izvi hauna kururama, ndichakupindura, nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.
  13664. Job 33:13 Unondirwisirei? Nokuti haapinduri paipi neipi yenyaya dzake.
  13665. Job 33:14 Nokuti Mwari anotaura kamwe, hongu, kaviri, pasina anozviona.
  13666. Job 33:15 Muchiroto, chiono cheusiku, mukuwira muhope dzakadzama muvanhu, pakukotsira pamubhedha.
  13667. Job 33:16 Ipapo anodziura nzeve yevanhu, ndokuiisira mucherechedzo kurairirwa kwavo;
  13668. Job 33:17 kuti atsause munhu pakuita, nekuviga kuzvikudza kubva pamunhu.
  13669. Job 33:18 Anochengetedza mweya weupenyu wake pagomba, neupenyu hwake pakupfuura nemunondo.
  13670. Job 33:19 Anorangwawo nemarwadzo pamusoro pamubhedha wake, nekurwisa mumapfupa ake kunoenderera.
  13671. Job 33:20 Kusvika upenyu hwake hwasema chingwa, nemweya weupenyu wake zvekudya zvinoshuvika.
  13672. Job 33:21 Nyama yake inopedzwa kubva pakuonekwa, nemapfupa ake aiva asingaonekwi akaiswa pabani.
  13673. Job 33:22 Hongu, mweya weupenyu wake uri pedo negomba, neupenyu hwake kuvaurayi.
  13674. Job 33:23 Kana kune mutumwa pamwe naye, mududziri, umwe pakati pechuru, kuratidza kumunhu kururama kwake;
  13675. Job 33:24 zvino achava nenyasha kwaari ndokuti: Mununurei pakuburukira mugomba; ndawana rudzikunuro.
  13676. Job 33:25 Nyama yake ichava itsva kupfuura yemwana; achadzokera kumazuva eudiki hwake.
  13677. Job 33:26 Anonyengetera kuna Mwari, uye iye achafarirwa kwaari, uye achaona chiso chake nemufaro, nokuti achadzosera kumunhu kururama kwake.
  13678. Job 33:27 Anotarisa pamusoro pevanhu ndokuti: Ndatadza, ndakaminamisa zvakarurama, asi hazvina kundibatsira.
  13679. Job 33:28 Wakadzikinura mweya weupenyu wangu pakupfuurira kugomba, uye upenyu hwangu hwuchaona chiedza.
  13680. Job 33:29 Tarirai, Mwari anoita zvinhu izvi zvose kaviri kana katatu nemunhu,
  13681. Job 33:30 kuti adzose mweya weupenyu wake kubva mugomba, kuti avhenekerwe nechiedza chevapenyu.
  13682. Job 33:31 Cherekedza, Jobho, teerera kwandiri, nyarara, zvino ini ndichataura.
  13683. Job 33:32 Kana kune mashoko, undipindure, taura, nokuti ndine chishuwo kukururamisira.
  13684. Job 33:33 Kana zvisina kudaro, iwe teerera kwandiri, nyarara, zvino ndichakudzidzisa uchenjeri.
  13685. Job 34:1 Zvino Erihu wakapindura ndokuti:
  13686. Job 34:2 Inzwai mashoko angu, imwi vakachenjera; uye mupe nzeve kwandiri, imwi vazivi.
  13687. Job 34:3 Nokuti nzeve inoidza mashoko, mukanwa sezvaunoravira zvekudya.
  13688. Job 34:4 Ngatizvisarudzire mutongo; ngatizive pakati pedu kuti chii chakanaka.
  13689. Job 34:5 Nokuti Jobho wakati: Ndakarurama, asi Mwari wakabvisa mutongo wangu.
  13690. Job 34:6 Ndinganyepa ndichipikisa kodzero yangu; museve wangu haurapiki, pasina chitadzo.
  13691. Job 34:7 Ndeupi murume wakafanana naJobho anonwa kushorwa semvura?
  13692. Job 34:8 Anofambidzana nechaunga nevabati vezvakaipa, nekufamba nevanhu vakashata.
  13693. Job 34:9 Nokuti wakati: Hazvibatsiri murume kana achifarira Mwari.
  13694. Job 34:10 Naizvozvo teererai kwandiri, vanhu vane pfungwa: Mwari ngaave kure nechakaipa, neWemasimbaose kubva pachitadzo.
  13695. Job 34:11 Nokuti basa remunhu acharidzosera kwaari, nekuwanisa umwe neumwe zvinoenderana nenzira yake.
  13696. Job 34:12 Hongu zvirokwazvo, Mwari haaiti chakaipa, uye Wemasimbaose haaminamisi mutongo.
  13697. Job 34:13 Ndiani wakamugadza pamusoro penyika? Uye ndiani wakamisa nyika yose?
  13698. Job 34:14 Kana akaisa moyo wake pamusoro pake, anozviunganidzira mweya wake nekufema kwake.
  13699. Job 34:15 Nyama yose inopera pamwe chete, uye munhu achadzokera kuguruva.
  13700. Job 34:16 Kana pane kunzwisisa, inzwa izvi, upe nzeve kuinzwi remashoko angu.
  13701. Job 34:17 Kuti anovenga mutongo angatonga here? Uye uchapa mhosva wakarurama kwazvo here?
  13702. Job 34:18 Angareva here kuna mambo kuti: Bheriari; kumachinda: Muipi?
  13703. Job 34:19 Asina kugamuchira chiso chemachinda, uye asina kutarisa mufumi kupfuura murombo. Nokuti vose ibasa remaoko ake.
  13704. Job 34:20 Vanofa nechinguvana, uye vanhu vachadzungaidzwa pakati peusiku, nekupfuura; nevane simba vachatorwa pasina ruoko.
  13705. Job 34:21 Nokuti meso ake ari pamusoro penzira dzemunhu, anoona matsimba ake ose.
  13706. Job 34:22 Hapana rima kana mumvuri werufu, vaiti vezvakaipa pavangavanda.
  13707. Job 34:23 Nokuti haangarambi achirangarira munhu, kuti aende kuna Mwari pamutongo.
  13708. Job 34:24 Achaputsanya vane simba zvisingatsvakwi, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
  13709. Job 34:25 Naizvozvo anoziva mabasa avo, uye anovapidigura usiku, vapwanyiwe.
  13710. Job 34:26 Anovarova pakati peavo vakaipa panzvimbo yevavokeri.
  13711. Job 34:27 Nekuda kwekuti vakatsauka pakumutevera, uye havana kuva nehanya neimwe yenzira dzake.
  13712. Job 34:28 Kuti vasvitse kuchema kwemurombo kwaari. Zvino akanzwa kuchema kwevanotambudzwa.
  13713. Job 34:29 Kana iye akapa runyararo, ndiyani angaita zvakaipa? Paanoviga chiso, ndiani zvino angamuona? Pangava parudzi kana pamunhu mumwechete.
  13714. Job 34:30 Kuti munyepedzeri asatonga, kuti kusava nemisungo kuvanhu.
  13715. Job 34:31 Zvirokwazvo umwe wakati kuna Mwari: Ndatakura murango, handingatadzi.
  13716. Job 34:32 Zvandisingaoni ndidzidzisei imwi; kana ndakaita chakaipa, handichaitizve.
  13717. Job 34:33 Achatsiva here sekuda kwako, nokuti unoramba? Kana kuti iwe unosarudza, uye handisi ini? Zvino taura zvaunoziva.
  13718. Job 34:34 Vanhu vane kunzwisisa vachataura kwandiri, nemurume wakachenjera achanditeerera:
  13719. Job 34:35 Jobho anotaura pasina ruzivo, nemashoko ake haana uchenjeri.
  13720. Job 34:36 Dai Jobho aiedzwa kusvika pakupedzisira, nekuda kwemhinduro dzake pavanhu vakaipa.
  13721. Job 34:37 Nokuti anowedzera upanduki pachivi chake, achiombera pakati pedu, achiwedzera mashoko ake achirwisa Mwari.
  13722. Job 35:1 Zvino Erihu wakapindura ndokuti:
  13723. Job 35:2 Unofunga kuti izvi zvakanaka here? Wati: Kururama kwangu kunopfuura kwaMwari?
  13724. Job 35:3 Nokuti wati: Zvinobatsirei kwauri? Zvinondibatsirei kupfuura chivi changu?
  13725. Job 35:4 Ini ndichakupindura, neshamwari dzako pamwe newe.
  13726. Job 35:5 Tarira kumatenga, ugoona, uye utarise makore, akakwirira kukupfuura.
  13727. Job 35:6 Kana ukatadza, unomuitirei? Kana zvitadzo zvako zvikapamhidzirwa, unoitei kwaari?
  13728. Job 35:7 Kana wakarurama, unomupei? Kana anogamuchirei muruoko rwako?
  13729. Job 35:8 Uipi hwako huri mukubata munhu wakaita sewe, nekururama kwako kuri mukubata mwanakomana wemunhu.
  13730. Job 35:9 Nekuda kweuwandu hwemanikidzo vanovachemedza; vanochema nekuda kweruoko rwevane simba.
  13731. Job 35:10 Asi hakuna anoti: Aripi Mwari muiti wangu, anopa nziyo neusiku?
  13732. Job 35:11 Anotidzidzisa kupfuura mhuka dzenyika, nekutichejedza kupfuura shiri dzematenga?
  13733. Job 35:12 Ipapo vanochema, asi haapinduri, nekuda kwekuzvikudza kwevakaipa.
  13734. Job 35:13 Zvirokwazvo Mwari haanganzwi zvisina maturo, uye Wemasimbaose haangavi nehanya nazvo.
  13735. Job 35:14 Hongu, kunyange ukati: Haumuoni; mutongo uri pamberi pake; naizvozvo unomumirira.
  13736. Job 35:15 Asi ikozvino, nokuti kutsamwa kwake hakuna kuranga, naiye haangazivururi here kuzvikudza?
  13737. Job 35:16 Naizvozvo Jobho anoshamisa muromo wake pasina; pasina ruzivo anowanza mashoko.
  13738. Job 36:1 Zvino Erihu wakawedzera ndokuti:
  13739. Job 36:2 Nditenderei zvishoma, zvino ndichakuratidzai kuti pachine mashoko ezvaMwari.
  13740. Job 36:3 Ndichatora ruzivo rwangu kubva kure, uye ndichapa kururama kuMuiti wangu.
  13741. Job 36:4 Nokuti zvirokwazvo mashoko angu haasi nhema; wakaperera pazivo anewe.
  13742. Job 36:5 Tarirai, Mwari ane simba, uye haazvidzi; ane simba paumhare hweuchenjeri.
  13743. Job 36:6 Haararamisi wakaipa, asi anopa varombo zvakarurama.
  13744. Job 36:7 Haabvisi meso ake pane wakarurama, asi pamwe nemadzimambo pachigaro cheushe; hongu, anovagarisa nekusingaperi, uye vanokwiridzwa.
  13745. Job 36:8 Uye kana vakasungwa muzvisungo, vakabatwa nemabote edambudziko,
  13746. Job 36:9 zvino anovaratidza basa ravo, nezvitadzo zvavo, kuti zvaiva zvine simba.
  13747. Job 36:10 Anozarurawo nzeve dzavo pakutsiurwa, nekuraira kuti vatendeuke kubva pazvakaipa.
  13748. Job 36:11 Kana vakateerera ndokushumira, vanopedza mazuva avo mune zvakanaka, nemakore avo mumafaro.
  13749. Job 36:12 Asi kana vasingateereri, vachapfuura nemunondo, uye vachapera vasina ruzivo.
  13750. Job 36:13 Nevasingatyi Mwari mumoyo vanounganidza kutsamwa; havachemi paanovasunga.
  13751. Job 36:14 Mweya weupenyu wavo uchafira paudiki, neupenyu hwavo pakati pengochani.
  13752. Job 36:15 Anonunura anotambudzika pakutambudzika kwake, nekuzarura nzeve dzavo pakumanikidzwa.
  13753. Job 36:16 Hongu, newe wakakukwezva kubva mumuromo wemanikidzo kuenda kunzvimbo yakafara, pasina manikidzo pairi, neiyo pamusoro petafura yako pachazara nemafuta.
  13754. Job 36:17 Asi wakazadza mutongo wewakaipa; mutongo nekururamisa ngazvikubate.
  13755. Job 36:18 Zvimwe akukwezvere pakudadira nekuda kwekutsamwa, neukuru hwedzikunuro hurege kukutsausa.
  13756. Job 36:19 Achakoshesa fuma yako, kuti dai uri pamanikidzo nezvinosunda zvose zvesimba?
  13757. Job 36:20 Usashuva usiku ihwu hwekubviswa kwevanhu panzvimbo yavo.
  13758. Job 36:21 Chenjera, usatendeukira kuzvakaipa, nokuti wasarudza izvi pane kutambudzika.
  13759. Job 36:22 Tarirai, Mwari anokwiridzirwa nesimba rake; ndiani anodzidzisa saiye?
  13760. Job 36:23 Ndiani wakamumisira nzira yake? Kana ndiani angati: Wakaita chakaipa?
  13761. Job 36:24 Rangarira kuti ukudze basa rake, vanhu ravanoimba.
  13762. Job 36:25 Vanhu vose vanoriona; munhu anotarisa ari kure.
  13763. Job 36:26 Tarirai, Mwari mukuru; asi hatizivi; neuwandu hwemakore ake hahunganzverwi.
  13764. Job 36:27 Nokuti anokwiridza madonhedza emvura, achenese mvura yekunaya zvichienderana nemwando wayo;
  13765. Job 36:28 makore aanodurura, anyorovese zvikuru pamusoro pemunhu.
  13766. Job 36:29 Hongu, pane anonzwisisa here kupararira kwemakore, mitinhiro yedumba rake?
  13767. Job 36:30 Tarira, anoradanura chiedza chake pamusoro pawo, nekufukidza midzi yegungwa.
  13768. Job 36:31 Nokuti nadzo anotonga vanhu; anopa zvekudya neuwandu.
  13769. Job 36:32 Nemaoko anodzitira chiedza, ndokuchiraira nerinouya pakati.
  13770. Job 36:33 Mutinhiro wawo unodudzira zvawo, hongu, mombe pamusoro pezviri kukwira.
  13771. Job 37:1 Uye nekuda kweizvi moyo wangu unobvunda uye unouruka kubva panzvimbo yawo.
  13772. Job 37:2 Inzwa zvekunzwa mutinhiro weinzwi rake, hongu ruzha rwunobva mumuromo make rwunobuda.
  13773. Job 37:3 Anousunungura pasi pematenga ose, nechiedza chake pamusoro pemigumo yenyika.
  13774. Job 37:4 Shure kweizvi kunoomba inzwi; anotinhira neinzwi reukuru hwake; uye haazvidzivisi panonzwikwa inzwi rake.
  13775. Job 37:5 Mwari anotinhira nenzwi rake zvinoshamisa kwazvo; anoita zvinhu zvikuru zvatisinganzwisisi.
  13776. Job 37:6 Nokuti anoti kumagada echando: Chivai panyika; saizvozvo kumvura yekupfunha, uye kumvura huru yekupfunha yesimba rake.
  13777. Job 37:7 Anonamatidza ruoko rwemunhu umwe neumwe, kuti vazive vanhu vose vebasa rake.
  13778. Job 37:8 Zvino mhuka dzinopinda mumagara ndokurambira mumapako adzo.
  13779. Job 37:9 Dutu remhepo rinobuda pakamuri, nechando kumhepo dzekumaodzanyemba.
  13780. Job 37:10 Chando chakachena chinopiwa nemweya waMwari, uye mvura mhamhi inogwamba.
  13781. Job 37:11 Hongu, neunyoro anozadza gore; anoparadzira gore nekupenya kwake.
  13782. Job 37:12 Uye iro rinotenderera kupotedza nekururamisa kwake, kuti zviite zvose zvaanozviraira pamusoro pechiso chevhu repanyika.
  13783. Job 37:13 Anozvisvikisa kana neshamhu, kana nenyika yake, kana netsitsi.
  13784. Job 37:14 Teerera kune izvi, Jobho; mira, ugorangarira mabasa anoshamisa aMwari.
  13785. Job 37:15 Unoziva here kuti Mwari anoagadzira rinhi, apenyese chiedza chegore rake?
  13786. Job 37:16 Unoziva here kuremberedzwa kwemakore, zvishamiso zvewakaperera paruzivo?
  13787. Job 37:17 Kuti nguvo dzako dzinodziya sei, pakunyaradza kwenyika nemhepo yekuchamhembe?
  13788. Job 37:18 Wakaradanura here gore pamwe naye, asimbe sechionioni chakaumbwa nekunyungudusa?
  13789. Job 37:19 Tidzidzise zvatichareva kwaari; hatingagadziri chinhu nekuda kwerima.
  13790. Job 37:20 Zvingatsanangurwa kwaari here kuti ndinotaura? Kana munhu akataura, zvirokwazvo achamedzwa.
  13791. Job 37:21 Zvino ikozvino havaoni chiedza chinopenya chiri mumakore, mhepo painopfuura inoachenesa.
  13792. Job 37:22 Goridhe rinobva kuchamhembe. Kuna Mwari kune umambo hunotyisa.
  13793. Job 37:23 Wemasimbaose hatimuwani; mukuru pasimba nepamutongo; uye mukuru pakururama; haamanikidzi.
  13794. Job 37:24 Naizvozvo vanhu vanomutya; haatarisi vakachenjera pamoyo.
  13795. Job 38:1 Zvino Jehovha wakapindura Jobho kubva muchamupupuri, ndokuti:
  13796. Job 38:2 Ndiani uyu anosvibisa zano nemashoko asina ruzivo?
  13797. Job 38:3 Sunga hako chiuno chako semurume, uye ndichakubvunza, uye undiite ndizive.
  13798. Job 38:4 Waiva uripi ndichidzika nheyo dzenyika? Tsanangura, kana uchiziva kunzwisisa.
  13799. Job 38:5 Ndiani wakaisa zviyero zvayo, kana uchiziva? Kana ndiani wakatandavadza rwodzi rwekuyera pamusoro payo?
  13800. Job 38:6 Nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndiani wakaisa ibwe rayo repakona?
  13801. Job 38:7 Nyeredzi dzemangwanani padzakaimba pamwe chete, nevanakomana vose vaMwari vakadanidzira nemufaro?
  13802. Job 38:8 Kana ndiani wakadzivira gungwa nemagonhi, pakupaza kwaro kubuda muchizvaro?
  13803. Job 38:9 Pandakaita gore rive nguvo yaro, uye rima guru rive butiro raro?
  13804. Job 38:10 Zvino ndakaritarira chimiso changu, ndokumisa zariro nemagonhi,
  13805. Job 38:11 ndikati: Uchasvika kusvika pano, asi haungapfuuri; uye pano kuzvikudza kwemafungu ako kuchamiswa.
  13806. Job 38:12 Wakaraira mangwanani kubva pamazuva ako here? Ukazivisa mambakwedza nzvimbo yawo here?
  13807. Job 38:13 Kuti abate migumo yenyika, kuti vakaipa vazuzwe kubva maari?
  13808. Job 38:14 Zvinoshanduka sevhu rechidhindo, uye zvinozvimisa senguvo.
  13809. Job 38:15 Nekubva pavakaipa chiedza chavo chinonyimwa, uye ruoko rwakasimudzwa rwunovhuniwa.
  13810. Job 38:16 Wakapinda muzvitubu zvegungwa here? Kana wakafamba-famba pakutsvaka udzamu here?
  13811. Job 38:17 Masuwo erufu akakuzarurirwa here? Kana wakaona masuwo emumvuri werufu?
  13812. Job 38:18 Wakanzwisisa here kusvika paupamhi hwenyika? Tsanangura kana uchizviziva zvose.
  13813. Job 38:19 Nzira iripi yekunogara chiedza? Nerima, iripi nzvimbo yaro?
  13814. Job 38:20 Kuti uzviise pamuganhu wako, uye kuti unzwisise nzira dzemusha wako.
  13815. Job 38:21 Unoziva, nokuti ipapo waiva wazvarwa, uye uwandu hwemazuva ako ukuru.
  13816. Job 38:22 Wakapinda padura refuma remagada echando here, uye ukaona dura refuma rechimvuramabwe?
  13817. Job 38:23 Zvandakachengetedza kusvika panguva yekutambudzika, kusvika pazuva rekurwa nehondo.
  13818. Job 38:24 Iripi nzira panogovewa chiedza, mhepo yekumabvazuva painopararira panyika?
  13819. Job 38:25 Ndiani wakaparadzanisira mugero weboporodzi remvura, kana nzira yemheni yemutinhiro?
  13820. Job 38:26 Kuti inaise mvura panyika isina munhu, renje risina munhu mariri;
  13821. Job 38:27 kugutsa gwenga nerenje, nekutungisa bumhudza?
  13822. Job 38:28 Mvura yekunaya ina baba here? Kana ndiani wakabereka madonhwe edova?
  13823. Job 38:29 Dombo rechando rakabuda muchizvaro chaani? Nechando chakachena chekumatenga ndiani akachibereka?
  13824. Job 38:30 Mvura yakavanzika sedombo, uye chiso cheudziku hwakagwamba.
  13825. Job 38:31 Ungasunga here sumbu reChirimirira, kana kusunungura zvisungo zveOrionhi?
  13826. Job 38:32 Ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungaruramisisa Arikituro nevanakomana vayo here?
  13827. Job 38:33 Unoziva here zvimiso zvematenga, kana ungamisa umambo hwazvo panyika here?
  13828. Job 38:34 Ungasimudzira inzwi rako kumakore here, kuwanda kwemvura ndokukufukidza?
  13829. Job 38:35 Ungatuma mheni here kuti dziende, dzigoti kwauri: Tarisa tiri pano?
  13830. Job 38:36 Ndiani wakaisa uchenjeri mune zvemukati? Kana ndiani wakapa kunzwisisa kupfungwa?
  13831. Job 38:37 Ndiani angaverenga makore muuchenjeri? Kana ndiani angagarisa hombodo dzekumatenga?
  13832. Job 38:38 Guruva parinosimba kuva gada, nemavhinga achinamatirana?
  13833. Job 38:39 Ungavhimira shumbakadzi chijimbiwa here, nekugutsa madongodongo evana veshumba?
  13834. Job 38:40 Padzinotsivama mumagara, nekugara pakavanda kuvandira.
  13835. Job 38:41 Ndiani anogadzirira gunguvo zvekudya zvaro, manyana aro paanochemera kuna Mwari, achidzungaira nokuti hapana zvekudya.
  13836. Job 39:1 Unoziva here nguva yekubereka kwembudzi-ruwere? Unocherekedza here kubereka kwenondo?
  13837. Job 39:2 Ungaverenga mwedzi yadzinozadzisa here? Uye unoziva nguva yekubereka kwadzo here?
  13838. Job 39:3 Dzinokotama, dzinobereka vana vadzo, dzinorasira ushungu hwadzo.
  13839. Job 39:4 Vana vadzo vanosimba, vanokurira musango; vanobva ndokuenda, ndokusadzoka kwadziri.
  13840. Job 39:5 Ndiani wakabudisa mbongorosvatu yesango yakasununguka? Uye ndiani wakasunungura zvisungo zvembongorondoga yesango?
  13841. Job 39:6 Imba yayo yandakaita renje, nenzvimbo dzayo dzekugara dzive chimunyu.
  13842. Job 39:7 Anoseka ruzha rweguta; haanzwi kudanidzira kwemuchairi.
  13843. Job 39:8 Gwara remakomo ndiwo mafuro ayo; uye inotsvaka ichitevera shizha dema rimwe nerimwe.
  13844. Job 39:9 Nyati inotenda kukushandira here? Kana ingarara pachidyiro chako chezvipfuwo here?
  13845. Job 39:10 Ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga here? Kana ingaputsa mavhinga shure kwako here?
  13846. Job 39:11 Ungavimba nayo here nokuti simba rayo iguru? Ungairegera basa rako here?
  13847. Job 39:12 Ungavimba nayo kuti ichauisa mbeu yako nekuunganidza paburiro rako here?
  13848. Job 39:13 Mapapiro emhou anobhururukira nemufaro, asi angava mapapiro nemambava eshuramurove here?
  13849. Job 39:14 Nokuti inosiya mazai ayo pavhu, nekuadziisa muguruva.
  13850. Job 39:15 Zvino inokanganwa kuti tsoka ingaapwanya, uye chikara chesango chingaatsika.
  13851. Job 39:16 Inobata zvakaoma manyana ayo sezvinonzi haasi ayo; kushingaira kwayo kunoshaya maturo pasina kutya.
  13852. Job 39:17 Nokuti Mwari wakaitorera uchenjeri, uye haana kuigovera mukunzwisisa.
  13853. Job 39:18 Kana yava nguva inozvisimudzira pamusoro; inoseka bhiza nemutasvi waro.
  13854. Job 39:19 Unopa bhiza simba here? Wakapfekedza here mutsipa waro nezenze rinopepereka?
  13855. Job 39:20 Ungariita rikwakuke semhashu here? Ukuru hwekupfeza kwaro hunotyisa.
  13856. Job 39:21 Rinoteta pasi mumupata, ndokufara musimba; rinobuda kuchingamidza zvombo.
  13857. Job 39:22 Rinoseka kutya, uye harityityidzirwi, uye haridzoki pamberi pemunondo.
  13858. Job 39:23 Goba rinoriririra, pfumo rinopenya uye bakatwa.
  13859. Job 39:24 Rinomedza pasi nekudedera nehasha; uye haritendi kuti iinzwi rehwamanda.
  13860. Job 39:25 Pakurira koga-koga kwehwamanda rinoti: Hekani! Uye rinofembedza hondo iri kure, mutinhiro wemachinda nekudanidzira.
  13861. Job 39:26 Ruvangu rwunobhururuka neuchenjeri hwarwo here, rwuchitambanudzira mapapiro arwo kuchamhembe?
  13862. Job 39:27 Gondo rinokwira nekuraira kwako uye kuti rinoita pakakwirira dendere raro here?
  13863. Job 39:28 Rinogara nekurara padombo; panhongonya yedombo nenhare.
  13864. Job 39:29 Rinobva ipapo richitsvaka zvekudya; meso aro anoona ari kure.
  13865. Job 39:30 Manyana arowo anosveta ropa; uye pane vakaurawa riripo.
  13866. Job 40:1 Zvino Jehovha wakapindura Jobho ndokuti:
  13867. Job 40:2 Anopikisana neWemasimbaose angamuraira here? Anoshoora Mwari ngaapindure.
  13868. Job 40:3 Zvino Jobho wakapindura Jehovha ndokuti:
  13869. Job 40:4 Tarirai, ndakaderera; ndingakupindurai chii? Ruoko rwangu ndaisa pamuromo wangu.
  13870. Job 40:5 Ndakataura kamwe, asi handingapinduri; hongu kaviri, asi handingaendereri mberi.
  13871. Job 40:6 Zvino Jehovha wakapindura Jobho kubva muchamupupuri ndokuti:
  13872. Job 40:7 Sunga chiuno chako ikozvino semurume; ndichakubvunza, zvino uchandizivisa.
  13873. Job 40:8 Uchaparadza mutongo wangu here? Ungandirasa kuti uve wakarurama here?
  13874. Job 40:9 Uye une ruoko saMwari here? Kana ungatinhira nenzwi here saiye?
  13875. Job 40:10 Ikozvino zvishongedze neukuru nerukudzo; uye uzvipfekedze neruremekedzo nekubwinya.
  13876. Job 40:11 Paradzira hasha dzekutsamwa kwako, ugotarisa wose anozvikudza, ugomuninipisa.
  13877. Job 40:12 Tarira wose anozvikudza, umuderedze. Zvino tsikira pasi vakaipa panzvimbo yavo.
  13878. Job 40:13 Uvavige pamwe chete paguruva; sunga zviso zvavo pakavanda.
  13879. Job 40:14 Zvino ipapo ndichareurura kwauri, kuti ruoko rwako rwerudyi rungakuponesa.
  13880. Job 40:15 Tarira hako mvuu, yandakaita pamwe newe; inodya uswa senzombe.
  13881. Job 40:16 Tarira hako, simba rayo riri muchiuno chayo; uye kugwinya kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.
  13882. Job 40:17 Inotsvikidza muswe wayo semusidhari; marunda ezvidya zvayo akarukwa-rukwa.
  13883. Job 40:18 Mapfupa ayo ipombi dzendarira; mbabvu dzayo dzakaita semazariro ematare.
  13884. Job 40:19 Ndiyo yekutanga yenzira dzaMwari; muiti wayo anoswededza munondo wayo.
  13885. Job 40:20 Nokuti makomo anoivigira zvekudya, panotamba mhuka dzose dzesango.
  13886. Job 40:21 Inorara pasi pemiti yemirotusi, pakavanda petsanga nepaguvi.
  13887. Job 40:22 Miti yemirotusi inoifukidza nemumvuri wayo; mikonachando yerukova inoipoteredza.
  13888. Job 40:23 Tarira, rwizi rwunomanikidza, haikurumidzi; ine chivimbo kunyange Joridhani rwuchibudira kumuromo wayo.
  13889. Job 40:24 Pane angaibata here nemeso ayo? Angaibaya mhino nemusungo?
  13890. Job 41:1 Ungakweva Revhiyatani nechiredzo here, kana kunyudza rurimi rwayo nerwonzi?
  13891. Job 41:2 Ungaisa rutsanga mumhino yayo here, kana kuboora rushaya rwayo nemunzwa?
  13892. Job 41:3 Ingakunyengetedza kakawanda here? Inotaura zvakanyorova kwauri here?
  13893. Job 41:4 Ingaita sungano newe here? Uchaitora ive muranda rinhi narinhi here?
  13894. Job 41:5 Ungatamba nayo seshiri here? Kana ungaisungira vanasikana vako here?
  13895. Job 41:6 Vatengi vangatengeserana nayo here? Vangaigoverana here pakati pevatengesi?
  13896. Job 41:7 Ungazadza ganda rayo nemiseve ine nzeve here, kana musoro wayo nepfumo rehove?
  13897. Job 41:8 Isa pairi ruoko rwako; rangarira hondo; usapamhidza.
  13898. Job 41:9 Tarira, tariro yake ichava manyepo. Naiyo ichakandirwa pasi here pakuiona?
  13899. Job 41:10 Hakuna anotyisa kuti angaimutsa. Zvino ndiani angazvimisa pamberi pangu?
  13900. Job 41:11 Ndiani angauya pamberi pangu kuti ndiripe? Chiri pasi pematenga ose ndechangu.
  13901. Job 41:12 Handinganyarari pamusoro pemitezo yayo, kana nyaya yesimba rayo, kana kunaka kwechimiro chayo.
  13902. Job 41:13 Ndiani angaratidza chiso chenguvo yayo? Ndiani angauya nematomu ake akapetwa kaviri?
  13903. Job 41:14 Ndiani angazarura masuwo echiso chayo? Mazino ayo anotyisa mativi ose.
  13904. Job 41:15 Makwande ayo ane kuzvikudza, akavharirwa nemucherechedzo wakasimbiswa.
  13905. Job 41:16 Rimwe riri pedo nerimwe, kuti pasava nemhepo inopinda pakati pawo.
  13906. Job 41:17 Akabatana anonamatirana kuti asaparadzaniswa.
  13907. Job 41:18 Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; uye meso ayo akaita sezvifunhiro zvemeso zvemangwanani.
  13908. Job 41:19 Mumuromo mayo munobuda mazhenje; ubaribari hwemoto hunosvatika.
  13909. Job 41:20 Mumhino dzayo munobuda utsi, sehari inopfungaira nenhokwe.
  13910. Job 41:21 Mweya wayo unopfutidza mazimbe, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.
  13911. Job 41:22 Mumutsipa mayo munogara simba, uye mberi kwayo kunopembera kusuruvara.
  13912. Job 41:23 Nhindi dzenyama yayo dzakabatana, dzakasimba pairi, hadzizununguswi.
  13913. Job 41:24 Moyo wayo wakasimba sebwe; zvirokwazvo, wakaoma seguyo repasi.
  13914. Job 41:25 Pakumuka kwayo vane simba vanotya; nekuda kwekuvhunika vanozvichenura.
  13915. Job 41:26 Panosvikira pairi munondo haungamiri, pfumo, museve, kana pfumo guru.
  13916. Job 41:27 Inotora matare semajanga, ndarira sedanda rakaora.
  13917. Job 41:28 Museve haungaitizisi; mabwe echifuramabwe anoshandurwa nayo kuva makoto.
  13918. Job 41:29 Tsvimbo inoverengwa semakoto; uye inoseka pakuunga kwepfumo.
  13919. Job 41:30 Pasi payo pane zvaenga zvinopinza; anowaridza zvinhu zvinopinza mumatope.
  13920. Job 41:31 Inovirisa udziku huve sehari; inoitisa gungwa rive sehari yemafuta.
  13921. Job 41:32 Inopenyesa nzira shure kwayo; udziku hunganzi ivhudzi rakachena.
  13922. Job 41:33 Panyika hapana chakafanana nayo, yakaitiwa kuti isava nekutya.
  13923. Job 41:34 Inotarisa chose chakakwirira; ndimambo pamusoro pevose vana vekuzvikudza.
  13924. Job 42:1 Zvino Jobho wakapindura Jehovha ndokuti:
  13925. Job 42:2 Ndinoziva kuti munogona zvose, uye hakuna zano ringadziviswa kwamuri.
  13926. Job 42:3 Ndiani uyu anodzikatira zano asina zivo? Naizvozvo ndakataura zvandaiva ndisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa zvikuru kwandiri, zvandaiva ndisingazivi.
  13927. Job 42:4 Inzwai henyu, zvino ndichataura ini. Ndichakubvunzai, uye muchandizivisa.
  13928. Job 42:5 Ndakakunzwai nekunzwa kwenzeve, asi ikozvino ziso rangu rinokuonai.
  13929. Job 42:6 Naizvozvo ndinozvisema, uye ndinozvidemba muguruva nemumadota.
  13930. Job 42:7 Zvino kwakati shure kwekutaura kwaJehovha mashoko awa kuna Jobho, kuti Jehovha wakati kuna Erifazi muTemani: Kutsamwa kwangu kunopfutira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura pamusoro pangu zvakarurama semuranda wangu Jobho.
  13931. Job 42:8 Naizvozvo ikozvino zvitorerei nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe, mugoenda kumuranda wangu Jobho, mugozvipira chipo chinopiswa. Zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti zvirokwazvo ndichagamuchira chiso chake, zvimwe ndikubatei seupenzi hwenyu; nokuti hamuna kutaura pamusoro pangu zvakarurama semuranda wangu Jobho.
  13932. Job 42:9 Zvino Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofari muNaama vakaenda vakaita sekureva kwaJehovha kwavari. Jehovha ndokugamuchira chiso chaJobho.
  13933. Job 42:10 Zvino Jehovha wakashandura utapwa hwaJobho paaiva anyengeterera shamwari dzake; Jehovha ndokuwedzera zvose Jobho zvaaiva nazvo kakapetwa kaviri.
  13934. Job 42:11 Ipapo kwakauya kwaari vanin’ina vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, nevose vaimbova vazikanwi vake, ndokudya chingwa naye mumba make, ndokuchema naye ndokumunyaradza pachakaipa chose Jehovha chaaiva auisa pamusoro pake; vakamupa umwe neumwe chidimbu chemari, uye umwe neumwe chindori chegoridhe.
  13935. Job 42:12 Zvino Jehovha wakaropafadza mugumo waJobho kupfuura kutanga kwake, nokuti waiva nemakwai zvuru gumi nezvina, nemakamera zvuru zvitanhatu, nechuru chezvipani zvenzombe nemakadzi embongoro churu.
  13936. Job 42:13 Wakazovawo nevanakomana vanomwe nevanasikana vatatu.
  13937. Job 42:14 Zvino wakatumidza zita rewekutanga kuti Jemima, nezita rewechipiri Keziya, uye zita rewechitatu Kereni-Hapuki.
  13938. Job 42:15 Zvino panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka sevanasikana vaJobho; baba vavo ndokuvapa nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.
  13939. Job 42:16 Shure kweizvi Jobho wakararama makore zana nemakumi mana, ndokuona vanakomana vake, nevanakomana vevanakomana vake, mazera mana.
  13940. Job 42:17 Zvino Jobho wakafa, akwegura, azara nemazuva
  13941. Psa 1:1 Wakaropafadzwa munhu asingafambi pakurangana kwevakaipa, uye asingamiri panzira yevatadzi, uye asingagari pachigaro chevashoori.
  13942. Psa 1:2 Asi mufaro wake uri pamurau waJehovha, uye anofungisisa murau wake masikati neusiku.
  13943. Psa 1:3 Zvino achafanana nemuti wakasimwa pahova dzemvura, unopa muchero wawo panguva yawo, shizha rawo haringasvavi; nechose chaanoita chichabudirira.
  13944. Psa 1:4 Vakaipa havana kudaro, asi vakafanana nehundi mhepo yainopeperesa.
  13945. Psa 1:5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, nevatadzi paungano yevakarurama.
  13946. Psa 1:6 Nokuti Jehovha anoziva nzira yevakarurama; asi nzira yevakaipa ichaparara.
  13947. Psa 2:1 Sei ndudzi dzichiita bope, nevanhu vachifunganya zvisina maturo?
  13948. Psa 2:2 Madzimambo enyika akazvimisa, nevatungamiriri vanoita rangano pamwe chete, kurwisa Jehovha nekurwisa muzodzwa wake, vachiti:
  13949. Psa 2:3 Ngatidambure zvisungo zvavo, uye tirase makashu avo kubva kwatiri.
  13950. Psa 2:4 Iye agere kumatenga achaseka; Ishe achavasveveredza.
  13951. Psa 2:5 Ipapo achataura kwavari mukutsamwa kwake, nekuvavhundusa nehasha dzake.
  13952. Psa 2:6 Zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu pamusoro peZiyoni, gomo reutsvene hwangu.
  13953. Psa 2:7 Ndicharondedzera maererano nechimiso: Jehovha wakati kwandiri: Iwe uri mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
  13954. Psa 2:8 Kumbira kwandiri, zvino ndichapa vechirudzi vave nhaka yako, nemigumo yenyika ive yako.
  13955. Psa 2:9 Muchavagura netsvimbo yesimbi; muchavapwanya sehari yemuumbi.
  13956. Psa 2:10 Naizvozvo ikozvino chenjerai, imwi madzimambo; murairike, imwi vatongi venyika.
  13957. Psa 2:11 Shumirai Jehovha nekutya, uye farai nekudedera.
  13958. Psa 2:12 Tsvodai mwanakomana, zvimwe angatsamwa, mugoparara panzira, kana hasha dzake dzopfuta hadzo zvishoma. Vakaropafadzwa vose vanovimba naye.
  13959. Psa 3:0 Pisarema raDhavhidhi paakatiza kubva pana Abhusaromu mwanakomana wake.
  13960. Psa 3:1 Jehovha, vakawanda sei vadzivisi vangu! Vazhinji vanondimukira.
  13961. Psa 3:2 Vazhinji vanoti pamusoro pemweya weupenyu wangu: Hakuna ruponeso kwaari kubva kuna Mwari. Sera.
  13962. Psa 3:3 Asi imwi Jehovha muri nhovo kwandiri, kudzo yangu, nemusimudzi wemusoro wangu.
  13963. Psa 3:4 Ndakadana kuna Jehovha neinzwi rangu; iye ndokundinzwa ari pagomo rake dzvene. Sera.
  13964. Psa 3:5 Ini ndakarara pasi ndokubatwa nehope; ndakamuka; nokuti Jehovha anonditsigira.
  13965. Psa 3:6 Handingatyi zvuru gumi zvevanhu vakazvimisa vakandikomberedza kundirwisa.
  13966. Psa 3:7 Simukai Jehovha, ndiponesei, Mwari wangu. Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya; makavhuna mazino evakaipa.
  13967. Psa 3:8 Ruponeso nderwaJehovha; ropafadzo yako iri pamusoro pevanhu vako. Sera.
  13968. Psa 4:0 Kumutungamiriri wenziyo; nemitengeranwa; pisarema raDhavhidhi.
  13969. Psa 4:1 Ndipindurei pakudana kwangu, Mwari wekururama kwangu; pakumanikidzwa makapa [nzvimbo] yakafaranuka kwandiri. Ivai nengoni kwandiri, mugonzwa munyengetero wangu.
  13970. Psa 4:2 Imwi vanakomana vevanhu, kusvika rinhi muchishandura rukudzo rwangu kuva chinyadzo, muchida zvisina maturo, muchitsvaka nhema? Sera.
  13971. Psa 4:3 Asi zivai kuti Jehovha wakazvitsaurira anotya Mwari; Jehovha anondinzwa pandinodana kwaari.
  13972. Psa 4:4 Dederai, murege kutadza; tauriranai nemoyo wenyu pamubhedha wenyu, uye muve vakanyarara. Sera.
  13973. Psa 4:5 Ipai zvibairo zvekururama, muvimbe naJehovha.
  13974. Psa 4:6 Vazhinji vanoti: Ndiani achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.
  13975. Psa 4:7 Makaisa mufaro mumoyo mangu kupfuura nguva iyo zviyo zvavo newaini itsva yavo zvawanzwa.
  13976. Psa 4:8 Ndichazvambarara nerugare, ndibve ndabatwa nehope; nokuti imwi moga Jehovha munondigarisa mukuchengetedzeka.
  13977. Psa 5:0 Kumutungamiriri wekuimba; nenehiroti. Pisarema raDhavhidhi.
  13978. Psa 5:1 Ipai nzeve kumashoko angu, Jehovha, mucherekedze kuzvidya moyo kwangu.
  13979. Psa 5:2 Teererai kuinzwi rekuchema kwangu, mambo wangu naMwari wangu; nokuti kwamuri ndinonyengetera.
  13980. Psa 5:3 Muchanzwa inzwi rangu mangwanani, Jehovha; mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu, ndichirindira.
  13981. Psa 5:4 Nokuti hamusi Mwari anofara muzvakaipa; wakaipa haangagari nemwi.
  13982. Psa 5:5 Vanozvikudza havangazvimisi pamberi pemeso enyu; munovenga vose vaiti vezvakaipa.
  13983. Psa 5:6 Muchaparadza vanotaura nhema. Jehovha anosema munhu weropa neunyengeri.
  13984. Psa 5:7 Asi kana ndiri ini, ndichapinda muimba yenyu mukuwanda kwengoni dzenyu; ndichashumira ndakananga kutembere yenyu tsvene mukukutyai.
  13985. Psa 5:8 Nditungamirirei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwevavengi vangu; ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.
  13986. Psa 5:9 Nokuti hapana uchokwadi pamuromo wavo; mukati mavo uipi; huro yavo iguva rakashama; vanobata kumeso nerurimi rwavo.
  13987. Psa 5:10 Revai kuti vane mhosva, Mwari. Ngavawe nemano avo; muvarase nekuda kweuwandu hwezvitadzo zvavo, nokuti vakakumukirai.
  13988. Psa 5:11 Asi ngavafare vose vanovimba nemwi; ngavadanidzire nguva dzose nemufaro, nokuti munovadzivirira; nevanoda zita renyu ngavafare mamuri.
  13989. Psa 5:12 Nokuti imwi Jehovha mucharopafadza wakarurama; muchamukomberedza nenyasha senhovo huru.
  13990. Psa 6:0 Kumutungamiriri wenziyo; nemitengeranwa, neShiminiti. Pisarema raDhavhidhi.
  13991. Psa 6:1 Jehovha, musanditsiura pakutsamwa kwenyu, musandiranga nehasha dzenyu.
  13992. Psa 6:2 Ndinzwirei tsitsi, Jehovha, nokuti handina simba; ndiporesei, Jehovha, nokuti mapfupa angu anoshungurudzika.
  13993. Psa 6:3 Nemweya weupenyu wangu unoshungurudzika kwazvo. Asi imwi Jehovha, kusvika rinhi?
  13994. Psa 6:4 Dzokai, Jehovha, nunurai mweya weupenyu wangu; mundiponese nekuda kwetsitsi dzenyu.
  13995. Psa 6:5 Nokuti parufu hapana kukurangarirai; muguva ndiani angakuvongai?
  13996. Psa 6:6 Ndaneta nekugomera kwangu; usiku hwose ndinoshambirisa nhovo yangu; ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.
  13997. Psa 6:7 Ziso rangu radyiwa nekuda kwedambudziko, rinosakara nekuda kwevadzivisi vangu vose.
  13998. Psa 6:8 Ibvai kwandiri imwi mose vaiti vezvakaipa. Nokuti Jehovha wakanzwa inzwi rekurira kwangu.
  13999. Psa 6:9 Jehovha wakanzwa mukumbiro wangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
  14000. Psa 6:10 Vavengi vangu vose vachanyadzwa nekuvhunduswa kwazvo; vachadzoka, vachanyadziswa mukubwaira kweziso.
  14001. Psa 7:0 Shigayoni yaDhavhidhi yaakaimbira Jehovha pamashoko aKushi muBhenjamini.
  14002. Psa 7:1 Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemwi; ndiponesei kune vose vanonditeverera, mundinunure.
  14003. Psa 7:2 Zvimwe abvambure mweya weupenyu wangu seshumba, abvamburanye pasina anonunura.
  14004. Psa 7:3 Jehovha Mwari wangu, kana ndakaita izvi; kana mune chakaipa mumaoko angu;
  14005. Psa 7:4 kana ndakatsiva chakaipa kune waiva nerugare neni (koga ndakapamba ari muvengi wangu pasina chikonzero):
  14006. Psa 7:5 Muvengi ngaateverere mweya weupenyu wangu, aubate; ngaatsikire-tsikire upenyu hwangu pasi; nerukudzo rwangu aise muguruva. Sera.
  14007. Psa 7:6 Mukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu; zvisimudzei nekuda kwehasha dzevavengi vangu, uye mukai nekuda kwangu; makaraira mutongo.
  14008. Psa 7:7 Saizvozvo ungano yevendudzi ichakupoteredzai; uye dzokerai kumusoro pamusoro payo.
  14009. Psa 7:8 Jehovha anotonga ndudzi; nditongei, Jehovha, zvichienderana nekururama kwangu, uye zvichienderana neuchokwadi hwangu huri mandiri.
  14010. Psa 7:9 Haiwa, kuipa kwevakaipa ngakugume, asi simbisai wakarurama; nokuti anoedza moyo netsvo ndiMwari wakarurama.
  14011. Psa 7:10 Nhovo yangu iri kuna Mwari, muponesi wevakarurama pamoyo.
  14012. Psa 7:11 Mwari mutongi wakarurama, uye ndiMwari anotsamwa pamazuva ose.
  14013. Psa 7:12 Kana asingatendeuki, acharodza munondo wake; wakunga uta hwake, ndokuhugadzirira.
  14014. Psa 7:13 Wakamugadzirirawo nhumbi dzerufu; anoitira vatevereri vanopisa miseve yake.
  14015. Psa 7:14 Tarira, anorwadziwa nemimba yezvakaipa; uye wakava nemimba yezvakashata, ndokubereka nhema.
  14016. Psa 7:15 Wakavhukunyura gomba ndokurichera, ndokuwira muhunza yaakaita.
  14017. Psa 7:16 Kuipa kwake kuchadzoka pamusoro pemusoro wake, uye kumanikidza kwake kuchaburukira pamusoro panhongonya yake.
  14018. Psa 7:17 Ndichavonga Jehovha zvichienderana nekururama kwake; uye ndichaimba rumbidzo kuzita raJehovha Wekumusoro-soro.
  14019. Psa 8:0 Kumutungamiriri wekuimba; neGititi. Pisarema raDhavhidhi.
  14020. Psa 8:1 Jehovha, Ishe wedu, rinobwinya sei zita renyu panyika yose! Imwi makaisa kubwinya kwenyu kumusoro kumatenga.
  14021. Psa 8:2 Pamiromo yevacheche nevanoyamwa makagadza simba nekuda kwevavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nemutsivi.
  14022. Psa 8:3 Kana ndichicherekedza matenga enyu, basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakamisa:
  14023. Psa 8:4 Munhu chii zvamunomurangarira? Nemwanakomana wemunhu zvamunomushanyira?
  14024. Psa 8:5 Nokuti makamuita ave pasi zvishoma kuvatumwa, makamushongedza korona yeumambo nerukudzo.
  14025. Psa 8:6 Makamuita atonge pamusoro pemabasa emaoko enyu; zvose makaisa pasi petsoka dzake:
  14026. Psa 8:7 Makwai, nenzombe zvose, uyewo mhuka dzesango,
  14027. Psa 8:8 shiri dzematenga, nehove dzegungwa, dzinopfuura panzira dzemakungwa.
  14028. Psa 8:9 Jehovha, Ishe wedu, rinobwinya sei zita renyu panyika yose!
  14029. Psa 9:0 Kumutungamiriri wekuimba; neMuti-Rabheni. Pisarema raDhavhidhi.
  14030. Psa 9:1 Ndichavonga Jehovha nemoyo wangu wose; ndicharondedzera zvishamiso zvenyu zvose.
  14031. Psa 9:2 Ndichafara nekupembera mamuri; ndichaimbira zita renyu rumbidzo, imwi Wekumusoro-soro.
  14032. Psa 9:3 Panodzokera vavengi vangu shure, vachawa, ndokuparara pamberi penyu.
  14033. Psa 9:4 Nokuti makaita kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro cheushe, makatonga zvakarurama.
  14034. Psa 9:5 Makatsiura vahedheni; makaparadza wakaipa; zita ravo makadzima kusvika pakusingaperi narinhi.
  14035. Psa 9:6 Vavengi vakapera, kuparara kwava rinhi narinhi, uye makaparadza maguta; kurangarirwa kwavo kwaparara pamwe navo.
  14036. Psa 9:7 Asi Jehovha achagara kusvika pakusingaperi; chigaro chenyu cheushe wakachigadzirira mutongo.
  14037. Psa 9:8 Zvino iye achatonga nyika mukururama, anotonga vanhu muzvakarurama.
  14038. Psa 9:9 Uye Jehovha achava nhare yeanomanikidzwa, nhare panguva dzekutambudzika.
  14039. Psa 9:10 Zvino vanoziva zita renyu vachavimba nemwi; nokuti imwi Jehovha hamuna kusiya vanokutsvakai.
  14040. Psa 9:11 Imbirai Jehovha rumbidzo, iye agere paZiyoni; dudzirai zviito zvake pakati pendudzi.
  14041. Psa 9:12 Kana achitsvaka ropa, anovarangarira; haakanganwi kuchema kwevanotambudzika.
  14042. Psa 9:13 Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; onai dambudziko rangu pane vanondivenga, imwi munondisimudza kubva pamasuwo erufu;
  14043. Psa 9:14 kuti ndirondedzere rumbidzo yenyu yose pamasuwo emukunda weZiyoni; ndichafara paruponeso rwenyu.
  14044. Psa 9:15 Vahedheni vakanyura mugomba ravakaita; rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure wavakavanza.
  14045. Psa 9:16 Jehovha wakazvizivisa; wakaita mutongo; wakaipa wakateyiwa pabasa remaoko ake. Higayoni. Sera.
  14046. Psa 9:17 Vakaipa vachadzokera kugehena, marudzi ose anokanganwa Mwari.
  14047. Psa 9:18 Nokuti mushaiwi haangakanganikwi rinhi narinhi, tariro yevarombo haiparari nekusingaperi.
  14048. Psa 9:19 Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.
  14049. Psa 9:20 Vavhundutsei, Jehovha; vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu. Sera.
  14050. Psa 10:1 Munomirirei kure, Jehovha? Munovandirei panguva dzedambudziko?
  14051. Psa 10:2 Wakaipa pakuzvikudza anoshusha murombo. Ngavabatwe mumazano avakafunga.
  14052. Psa 10:3 Nokuti wakaipa anozvirumbidza pazvishuvo zvemweya weupenyu wake, ndokuropafadza muchivi, anozvidza Jehovha.
  14053. Psa 10:4 Wakaipa, nekuzvikudza kwechiso chake, haabvunzi; hakuna Mwari mumirangariro yake yose.
  14054. Psa 10:5 Nzira dzake dzakasimba nenguva dzose; mitongo yenyu yakakwirira iri kure naye; vavengi vake vose anovafemerekera.
  14055. Psa 10:6 Anoti mumoyo make: Handingazungunuswi; nokuti pazera nezera handingavi padambudziko.
  14056. Psa 10:7 Muromo wake uzere kutuka nekunyengera neutsotsi; pasi perurimi rwake pane kutadza neuipi.
  14057. Psa 10:8 Anogara panzvimbo yekuvandira yemisha; panzvimbo dzakavanda anouraya asina mhosva; meso ake anotarisa murombo pachivande.
  14058. Psa 10:9 Anovandira pakavanda seshumba pagara rayo; anovanda kubata murombo; anobata murombo paanomukwevera mumumbure wake.
  14059. Psa 10:10 Anyangira, anokambaira, kuti varombo vawiswe nezvine simba zvake.
  14060. Psa 10:11 Anoti mumoyo make: Mwari wakanganwa; anovanza chiso chake; haangatongooni.
  14061. Psa 10:12 Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; regai kukanganwa vanotambudzika.
  14062. Psa 10:13 Sei wakaipa achizvidza Mwari? Anoti mumoyo make: Haungabvunzi?
  14063. Psa 10:14 Maona; nokuti imwi munotarira kushingaira nedambudziko, kukuisa muruoko rwenyu; murombo anozvipa kwamuri; imwi muri mubatsiri wenherera.
  14064. Psa 10:15 Vhunai ruoko rwewakaipa; newakashata, tsvakai kuipa kwake, kusvika musingawani.
  14065. Psa 10:16 Jehovha ndiye mambo nekusingaperi-peri; vahedheni vakaparara kubva munyika yake.
  14066. Psa 10:17 Jehovha, makanzwa chishuvo chevanyoro; muchasimbisa moyo wavo, muchaita nzeve yenyu inzwe;
  14067. Psa 10:18 kutonga nherera neanomanikidzwa, kuti munhu wepanyika asachiendererazve mberi kuvhundusa.
  14068. Psa 11:0 Kumutungamiriri wekuimba. [Pisarema] raDhavhidhi.
  14069. Psa 11:1 Ndinovimba naJehovha; munoreva sei kumweya weupenyu wangu: Tizira kugomo renyu [se]shiri?
  14070. Psa 11:2 Nokuti tarira, vakaipa vanobwembura uta, vanogadzira museve wavo parusungiso, kuti vafure kune vakarurama pamoyo murima.
  14071. Psa 11:3 Kana nheyo dzakaparadzwa, wakarurama angaitei?
  14072. Psa 11:4 Jehovha ari mutembere yake tsvene; Jehovha, chigaro chake cheushe chiri kumatenga; meso ake anoona; tsiye dzake dzinoedza vana vevanhu.
  14073. Psa 11:5 Jehovha anoedza wakarurama; asi wakaipa neanoda mhirizhonga mweya weupenyu wake unomuvenga.
  14074. Psa 11:6 Pamusoro pevakaipa achanaisa misungo, moto, nesarufa, nemhepo inopisa, zvichava mugove wemukombe wavo.
  14075. Psa 11:7 Nokuti Jehovha wakarurama; anoda kururama kuzhinji; chiso chake chinoona uchokwadi.
  14076. Psa 12:0 Kumutungamiriri wekuimba; neSheminiti. Pisarema raDhavhidhi.
  14077. Psa 12:1 Ponesai, Jehovha, nokuti anoda Mwari woguma; nokuti vakatendeka vonyangarika pakati pevana vevanhu.
  14078. Psa 12:2 Vanotaura zvisina maturo, umwe neumwe newekwake; muromo weunyengeri; vanotaura nemoyo miviri.
  14079. Psa 12:3 Jehovha achagura miromo yose inonyengera, rurimi rwunotaura zvinhu zvikuru;
  14080. Psa 12:4 ivo vakati: Tichakunda nerurimi rwedu; miromo yedu ndeyedu; ndiani ari ishe pamusoro pedu?
  14081. Psa 12:5 Nekuda kwekupambiwa kwevarombo, nekuda kwekugomera kwevanoshaiwa, ikozvino ndava kumuka, ndizvo zvinoreva Jehovha; ndichamuisa pakachengetedzeka anomufemerekera.
  14082. Psa 12:6 Mashoko aJehovha mashoko akachena, sirivha yakaedzwa mumvuto yepanyika, yakanatswa kanomwe.
  14083. Psa 12:7 Imwi Jehovha, muchavarinda, muchavachengetedza pazera iri nekusingaperi.
  14084. Psa 12:8 Vakaipa vanofamba-famba pamativi ose, apo zvisina maturo zvichikudzwa pakati pevanakomana vevanhu.
  14085. Psa 13:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14086. Psa 13:1 Kusvika rinhi Jehovha muchindikanganwa nekusingaperi? Kusvika rinhi muchindivanzira chiso chenyu?
  14087. Psa 13:2 Kusvika rinhi ndichiisa mazano mumweya weupenyu wangu, kusuruvara mumoyo mangu nezuva? Kusvika rinhi muvengi wangu achikwiridzirwa pamusoro pangu?
  14088. Psa 13:3 Tarirai, ndipindurei, Jehovha Mwari wangu; vhenekerai meso angu, zvimwe ndirare hope dzerufu;
  14089. Psa 13:4 zvimwe muvengi wangu ati: Ndamukunda; vadzivisi vangu vafare kana ndazununguka.
  14090. Psa 13:5 Asi ini ndakavimba munyasha dzenyu; moyo wangu uchafara muruponeso rwenyu.
  14091. Psa 13:6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakandiitira zvakanaka kwazvo.
  14092. Psa 14:0 Kumutungamiriri wekuimba. [Pisarema] raDhavhidhi.
  14093. Psa 14:1 Benzi rakati mumoyo maro: Hakuna Mwari. Vakaora, vakaita basa rinonyangadza; hapana anoita zvakanaka.
  14094. Psa 14:2 Jehovha wakatarisa pasi ari kumatenga pamusoro pevanakomana vevanhu kuona kana aripo anonzwisisa, anotsvaka Mwari.
  14095. Psa 14:3 Vakatsauka vose, vakanyangara pamwe chete, hapana anoita zvakanaka, hakuna kana umwe.
  14096. Psa 14:4 Vaiti vose vezvakaipa havazivi here, vanodya vanhu vangu sevanodya chingwa? Vasingadani Jehovha.
  14097. Psa 14:5 Ipapo vaitya nekutya, nokuti Mwari ari pazera rewakarurama.
  14098. Psa 14:6 Makanyadzisa zano remurombo, nokuti Jehovha utiziro hwake.
  14099. Psa 14:7 Dai ruponeso rwaIsraeri rwaibva paZiyoni! Jehovha paanodzosa kutapwa kwevanhu vake, Jakove achafara, Israeri achapembera.
  14100. Psa 15:0 Pisarema raDhavhidhi.
  14101. Psa 15:1 Jehovha, ndiani achagara mutende renyu? Ndiani achagara pagomo renyu dzvene?
  14102. Psa 15:2 Uyo anofamba asina mhosva, uye anoita zvakarurama, uye anotaura chokwadi mumoyo make.
  14103. Psa 15:3 Iye asingatauri makuhwa nerurimi rwake, asingaitiri shamwari yake zvakaipa, uye asingasimudziri kutuka kune wekwake.
  14104. Psa 15:4 Wakarashwa anomhurwa pameso ake, asi anoremekedza vanotya Jehovha; anopikira zvinokuvadza, asi haashanduki.
  14105. Psa 15:5 Asingapi mari yake nemubereko, uye asingagamuchiri fufuro pane asina mhosva. Anoita izvi haazungunuswi kusvika rinhi.
  14106. Psa 16:0 Mikitami yaDhavhidhi.
  14107. Psa 16:1 Ndichengetedzei, Mwari, nokuti ndinovimba nemwi.
  14108. Psa 16:2 Ndakati kuna Jehovha: Ndimwi Ishe wangu; kunaka kwangu hakusviki kwamuri.
  14109. Psa 16:3 Asi kuvatsvene vari panyika, nevanachangamire; mufaro wangu wose uri mavari.
  14110. Psa 16:4 Kusuruvara kwavo kuchapamhidzirwa kwevanomhanyira umwe mwari; handingapi zvipo zvavo zvezvinwiwa zveropa, nemazita avo handingaabati pamiromo yangu.
  14111. Psa 16:5 Jehovha mugove wenhaka yangu newemukombe wangu; imwi munotsigira mugove wangu.
  14112. Psa 16:6 Rwonzi rwekupima rwakawira kwandiri panzvimbo dzinofadza, hongu, nhaka yakaisvonaka ndeyangu.
  14113. Psa 16:7 Ndicharumbidza Jehovha wakandipa zano; nepausiku itsvo dzangu dzinondirairira.
  14114. Psa 16:8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu rinhi narinhi; nokuti ari kurudyi rwangu, handingazununguswi.
  14115. Psa 16:9 Naizvozvo moyo wangu unofara, nerukudzo rwangu rwunopembera, hongu, nyama yangu ichagara yakachengeteka.
  14116. Psa 16:10 Nokuti hamungasii mweya weupenyu wangu mugehena; hamungapi mutsvene wenyu kuti aone kuora.
  14117. Psa 16:11 Muchandizivisa nzira yeupenyu; kuzara kwekupembera kuri pakuvapo kwenyu, kuruoko rwenyu rwerudyi kune mafaro nekusingaperi.
  14118. Psa 17:0 Munyengetero waDhavhidhi.
  14119. Psa 17:1 Inzwai kururama Jehovha; muteerere kuchema kwangu; ipai nzeve kumunyengetero wangu, kwete kubva pamiromo inonyengera.
  14120. Psa 17:2 Mutongo wangu ngaubude kubva pakuvapo kwenyu; meso enyu ngaaone zvinhu zvakarurama.
  14121. Psa 17:3 Makaedza moyo wangu; makashanya usiku; makandiidza, hamuna kuwana chinhu; ndakazvisunga, muromo wangu hauna kutsauka.
  14122. Psa 17:4 Maererano nemabasa evanhu, kubudikidza neshoko remiromo yenyu, ini ndakazvichengetedza panzira dzemuparadzi.
  14123. Psa 17:5 Kutsigira nhambwe dzangu pamakwara enyu, tsoka dzangu dzirege kutedzemuka.
  14124. Psa 17:6 Ini ndakadana kwamuri, nokuti muchandipindura, Mwari; rerekai nzeve yenyu kwandiri, munzwe nhaurwa yangu.
  14125. Psa 17:7 Ratidzai nekushamisa rudo rweunyoro hwenyu, imwi munoponesa neruoko rwenyu rwerudyi avo vanovimba nemwi pane vanovamukira.
  14126. Psa 17:8 Ndichengetei semboni yeziso, mwana weziso; ndivanzei pasi pemumvuri wemapapiro enyu;
  14127. Psa 17:9 kubva pachiso chevakaipa vanondimanikidza, vavengi vemweya weupenyu wangu vanondikomba.
  14128. Psa 17:10 Vakadzivira nemafuta avo; nemuromo wavo vanotaura nekuzvikudza.
  14129. Psa 17:11 Vatikomberedza zvino panhanho dzedu; meso avo vakamisa kutikotamisira pasi.
  14130. Psa 17:12 Wakaita seshumba inokarira kuparadza, uye seshumba diki inogarira panzvimbo dzakavanda.
  14131. Psa 17:13 Mukai, Jehovha, chingamidzai chiso chake, mumukandire pasi, nunurai mweya weupenyu wangu pane wakaipa, munondo wenyu;
  14132. Psa 17:14 kuvanhu, neruoko rwenyu imwi Jehovha, kuvanhu venyika, vane mugove wavo paupenyu uhu, vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; vakazara nevana; vanosiira vacheche vavo zvakasara zvavo.
  14133. Psa 17:15 Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; ndichaguta nemufananidzo wenyu pakumuka kwangu.
  14134. Psa 18:0 Kumutungamiriri wekuimba. [Pisarema] raDhavhidhi, muranda waJehovha, wakataura kuna Jehovha mashoko erwiyo urwu nezuva Jehovha raakamununura paruoko rwevavengi vake vose neparuoko rwaSauro.
  14135. Psa 18:1 Ndokuti: Ndichakudai, Jehovha, simba rangu.
  14136. Psa 18:2 Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nemununuri wangu, Mwari wangu, ibwe rangu, wandichavimba maari, nhovo yangu, nerunyanga rweruponeso rwangu, shongwe yangu yakakwirira.
  14137. Psa 18:3 Ndichadana kuna Jehovha anorumbidzika; naizvozvo ndichaponeswa pavavengi vangu.
  14138. Psa 18:4 Zvisungo zverufu zvakandikomba; nemafashame ezvakaipa akandivhundusa.
  14139. Psa 18:5 Zvisungo zvegehena zvakandikomberedza; misungo yerufu yaiva pamberi pangu.
  14140. Psa 18:6 Pakutambudzika kwangu ndakadana Jehovha, uye ndakachemera kuna Mwari wangu; wakanzwa inzwi rangu ari mutembere yake; uye kuchema kwangu kwakauya pamberi pake munzeve dzake.
  14141. Psa 18:7 Ipapo nyika yakazununguka uye yakadedera; nenheyo dzemakomo dzakadengenyeka nekuzununguka, nokuti waiva akatsamwa.
  14142. Psa 18:8 Kwakakwira utsi kubva mumhino yake, uye moto kubva mumuromo make wakaparadza; mazimbe akapfutidzwa nawo.
  14143. Psa 18:9 Wakakotamisawo matenga, ndokuburuka; nerima guru raiva pasi petsoka dzake.
  14144. Psa 18:10 Zvino wakatasva kerubhi, ndokubhururuka; ndokubhururuka achikurumidza pamapapiro emhepo.
  14145. Psa 18:11 Wakaita rima nzvimbo yake yakavanda; dumba rake rakamupoteredza; kusviba kwedzimvura, makore matema emuzvadenga.
  14146. Psa 18:12 Pakupenya kwaiva pamberi pake makore ake matema achipfuura, chimvuramabwe nemazimbe emoto.
  14147. Psa 18:13 Jehovha wakatinhirawo mumatenga, uye Wekumusoro-soro wakapa inzwi rake, chimvuramabwe, nemazimbe emoto.
  14148. Psa 18:14 Zvino wakatuma miseve yake, ndokuvaparadza; nemheni zhinji, ndokuvavhiringidza.
  14149. Psa 18:15 Ipapo kwakaonekwa migero yemvura, uye nheyo dzenyika dzakafukunurwa, pakushoora kwenyu, Jehovha, pamhepo yekufema kwemhino yenyu.
  14150. Psa 18:16 Wakatuma ari kumusoro, wakandibata, wakandinyurura mumvura zhinji.
  14151. Psa 18:17 Wakandinunura pamuvengi wangu ane simba, nekune vanondivenga, nokuti vaiva vakasimbisa kwandiri.
  14152. Psa 18:18 Vaiva pamberi pangu pazuva redambudziko rangu, asi Jehovha wakava mutsigiri wangu.
  14153. Psa 18:19 Wakandibudisirawo kunzvimbo yakafarikana, akandinunura nokuti waifara mandiri.
  14154. Psa 18:20 Jehovha wakandipa mubairo zvichienderana nekururama kwangu; zvichienderana nekuchena kwemaoko angu wakandidzorera.
  14155. Psa 18:21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, uye handina kubva kuna Mwari wangu nekuipa.
  14156. Psa 18:22 Nokuti mitongo yake yose yaiva pamberi pangu, uye handina kutsausa zvimiso zvake kubva kwandiri.
  14157. Psa 18:23 Ndaivawo ndakarurama kwaari, uye ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.
  14158. Psa 18:24 Naizvozvo Jehovha wakanditsivira zvichienderana nekururama kwangu, zvichienderana nekuchena kwemaoko angu pamberi pemeso ake.
  14159. Psa 18:25 Kune ane tsitsi munozviratidza mune tsitsi; kune munhu wakarurama munozviratidza makarurama;
  14160. Psa 18:26 kune wakachena munozviratidza makachena; uye kune wakatsauka munozviratidza makatsauka.
  14161. Psa 18:27 Nokuti imwi muchaponesa vanhu vanotambudzwa; asi muchaderedza meso ekuzvikudza.
  14162. Psa 18:28 Nokuti imwi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.
  14163. Psa 18:29 Nokuti nemwi ndakamhanya nemuhondo; uye naMwari wangu ndichakwakuka rusvingo.
  14164. Psa 18:30 Mwari, nzira yake yakaperera; shoko raJehovha rakaedzwa; inhovo kune vose vanovimba naye.
  14165. Psa 18:31 Nokuti ndiani Mwari, kunze kwaJehovha? Uye ndiani dombo, kusara kwaMwari wedu?
  14166. Psa 18:32 NdiMwari anondisunga chiuno nesimba, nekuperedzera nzira yangu.
  14167. Psa 18:33 Anoita tsoka dzangu dzive sedzenondokadzi, nekundiisa panzvimbo dzangu dzakakwirira.
  14168. Psa 18:34 Anodzidzisira maoko angu hondo, kuti uta hwendarira huhwemburwe nemaoko angu.
  14169. Psa 18:35 Makandipawo nhovo yeruponeso rwenyu; neruoko rwenyu rwerudyi rwakanditsigira, uye unyoro hwenyu hunondikudza.
  14170. Psa 18:36 Makafaranukisa nhanho yangu pasi pangu, kuti zvidodoma zvangu zvisatedzemuka.
  14171. Psa 18:37 Ndakadzingirira vavengi vangu, ndokuvabata, uye handina kudzokera shure kusvika vapedzwa.
  14172. Psa 18:38 Ndakavapwanya, kusvika vakonewa kumuka; vakawa pasi petsoka dzangu.
  14173. Psa 18:39 Nokuti makandisungira chiuno hondo nesimba; makaisa pasi pangu vanondimukira.
  14174. Psa 18:40 Makandipawo mutsipa wevavengi vangu; avo vanondivenga ndakavaparadza.
  14175. Psa 18:41 Vakachema asi pasina muponesi, kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
  14176. Psa 18:42 Zvino ndakavakuya seguruva pamberi pemhepo; ndakavadurura sematope enzira dzemumusha.
  14177. Psa 18:43 Makandinunura pakukakavadzana kwevanhu; makandimisa kuva musoro wendudzi; vanhu vandisina kuziva vachandishandira.
  14178. Psa 18:44 Pakunzwa kwenzeve vachanditeerera; vatorwa vachazvininipisa kwandiri neunyepedzeri.
  14179. Psa 18:45 Vatorwa vachasvava, vagobuda munhare dzavo vachidedera.
  14180. Psa 18:46 Jehovha mupenyu; uye dombo rangu ngariropafadzwe; uye Mwari weruponeso rwangu ngaarumbidzwe.
  14181. Psa 18:47 Mwari anondipa kutsiva kuzhinji; uye anowisira vechirudzi pasi pangu.
  14182. Psa 18:48 Wakandinunura pavavengi vangu; hongu, imwi makandisimudza pamusoro peavo vanondimukira; makandinunura pamunhu ane chisimba.
  14183. Psa 18:49 Naizvozvo ndichakuvongai, Jehovha, pakati pevechirudzi, uye ndichaimbira zita renyu rumbidzo.
  14184. Psa 18:50 Anokurisa rudzikunuro rukuru rwamambo wake, anoitira muzodzwa wake tsitsi, kuna Dhavhidhi, nekumbeu yake kusvika rinhi narinhi.
  14185. Psa 19:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14186. Psa 19:1 Matenga anorondedzera kubwinya kwaMwari; uye muchadenga munoparidza basa remaoko ake.
  14187. Psa 19:2 Zuva rinodururira nhauro kuzuva, neusiku hunoratidza ruzivo kuusiku.
  14188. Psa 19:3 Hapana nhauro uye hapana mashoko inzwi razvo parisina kunzwikwa.
  14189. Psa 19:4 Rwonzi rwazvo rwakabudira panyika yose, nemashoko azvo kumugumo wenyika. Wakamisira zuva tende mazviri.
  14190. Psa 19:5 Uye iro rakaita sechikomba chinobuda mukamuri macho; rinofara semhare kumhanya panzira.
  14191. Psa 19:6 Kubuda kwaro kunobva pamugumo wematenga, nekupoteredza kwaro kusvika kumigumo yaro; uye hakuna chakavanzirwa kupisa kwaro.
  14192. Psa 19:7 Murau waJehovha wakaperera, unoshandura mweya weupenyu; chipupuro chaJehovha ichokwadi, chinochenjedza asina mano.
  14193. Psa 19:8 Zvimiso zvaJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; murairo waJehovha wakachena, unovhenekera maziso.
  14194. Psa 19:9 Kutya Jehovha kwakachena, kunogara nekusingaperi; mitongo yaJehovha ichokwadi, yakarurama zvakazara.
  14195. Psa 19:10 Zvinoshuvika kupfuura goridhe, hongu, kupfuura goridhe zhinji rakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura uchi, nemusvi wemazinga euchi.
  14196. Psa 19:11 Uye muranda wenyu anonyeverwa nazvo; pakuzvichengeta pane mubairo mukuru.
  14197. Psa 19:12 Ndiani anganzwisisa zvitadzo? Ndichenesei pamhosva pane zvakavanda.
  14198. Psa 19:13 Chengetai muranda wenyu kubva pakuzvikudzawo; ngavarege kutonga pamusoro pangu. Ipapo ndichava wakakwana ndive wakachena pachitadzo chikuru.
  14199. Psa 19:14 Mashoko emuromo wangu nemurangariro wemoyo wangu ngazvigamuchirike pamberi penyu, Jehovha, dombo rangu nemudzikunuri wangu.
  14200. Psa 20:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14201. Psa 20:1 Jehovha ngaakupindure pazuva redambudziko; zita raMwari waJakove ngarikukwiridzire.
  14202. Psa 20:2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene; uye akutsigire ari paZiyoni.
  14203. Psa 20:3 Ngaarangarire zvipo zvako zvose, uye agamuchire chipo chako chinopiswa. Sera.
  14204. Psa 20:4 Ngaakupe zvinoenderana nemoyo wako, agozadzisa zano rako rose.
  14205. Psa 20:5 Tichadana nemufaro muruponeso rwako; nemuzita raMwari wedu tichasimudza mureza. Jehovha ngaazadzise mikumbiro yako yose.
  14206. Psa 20:6 Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodzwa wake; achamupindura ari kumatenga ake matsvene, nemasimba eruponeso rweruoko rwake rwerudyi.
  14207. Psa 20:7 Vamwe vanovimba nengoro, uye vamwe nemabhiza; asi isu ticharangarira zita raJehovha Mwari wedu.
  14208. Psa 20:8 Ivo vakotamiswa, vawa; asi isu tasimuka, uye takamira.
  14209. Psa 20:9 Ponesai, Jehovha; mambo ngaatipindure pazuva rekudana kwedu.
  14210. Psa 21:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14211. Psa 21:1 Mambo achafara musimba renyu, Jehovha; nemuruponeso rwenyu achafara zvikuru sei!
  14212. Psa 21:2 Makamupa chishuvo chemoyo wake, uye hamuna kunyima chikumbiro chemiromo yake. Sera.
  14213. Psa 21:3 Nokuti munomuchingura nemaropafadzo ezvakanaka; munodzika korona yegoridhe rakaisvonaka pamusoro wake.
  14214. Psa 21:4 Wakakumbira upenyu kwamuri; mukamupa ihwo; urefu hwemazuva nekusingaperi narinhi.
  14215. Psa 21:5 Rukudzo rwake rukuru paruponeso rwenyu; kubwinya nekukudzwa makaisa pamusoro pake.
  14216. Psa 21:6 Nokuti makamuita wakaropafadzwa kwazvo nekusingaperi; makamupembedza nemufaro pakuvapo kwenyu.
  14217. Psa 21:7 Nokuti mambo anovimba naJehovha, uye netsitsi dzeWekumusoro-soro haangazungunuswi.
  14218. Psa 21:8 Ruoko rwenyu rwuchawana vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rwerudyi rwuchawana avo vanokuvengai.
  14219. Psa 21:9 Muchavaita vave sevira remoto panguva yekuvapo kwenyu. Jehovha achavamedza pakutsamwa kwake, uye moto uchavapedza.
  14220. Psa 21:10 Chibereko chavo muchaparadza kubva panyika, nembeu yavo kubva pakati pevana vevanhu.
  14221. Psa 21:11 Nokuti vakatandavadzira zvakaipa kukurwisai; vakaronga zano rakaipa; vachakundikana.
  14222. Psa 21:12 Nokuti muchavafuratisa; nehungiso dzenyu dzeuta muchagadzira miseve kurwisa chiso chavo.
  14223. Psa 21:13 Simukai Jehovha, pasimba renyu; tichaimba nekuitira mumhanzi simba renyu.
  14224. Psa 22:0 Kumutungamiriri wekuimba; nenondo yemangwanani. Pisarema raDhavhidhi.
  14225. Psa 22:1 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko? Muri kure nekundibatsira, [nepa]mashoko ekuvovora kwangu?
  14226. Psa 22:2 Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; nepausiku, asi handina kunyarara.
  14227. Psa 22:3 Asi imwi muri mutsvene, mugere parumbidzo dzaIsraeri.
  14228. Psa 22:4 Madzibaba edu akavimba nemwi; vakavimba, imwi ndokuvanunura.
  14229. Psa 22:5 Vakachema kwamuri, ndokununurwa; vakavimba nemwi, uye havana kunyadziswa.
  14230. Psa 22:6 Asi ini ndiri honye, uye handisi munhu, chizvidziwa chevanhu, nechinoshorwa nevanhu.
  14231. Psa 22:7 Vose vanondiona vanondiseka, vanoshamisa muromo, vanodzungudza musoro, vachiti:
  14232. Psa 22:8 Zviisei kuna Jehovha; ngaamununure; ngaamurwire, nokuti anomufarira.
  14233. Psa 22:9 Asi ndimwi makandibudisa muchizvaro; makandivimbisa ndichiri pamazamu amai vangu.
  14234. Psa 22:10 Ndakarasirwa kwamuri kubva pachizvaro; imwi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.
  14235. Psa 22:11 Regai kuva kure neni; nokuti dambudziko riri pedo; nokuti hapana mubatsiri.
  14236. Psa 22:12 Hando zhinji dzakandikomba; dzakasimba dzeBhashani dzakandikomberedza.
  14237. Psa 22:13 Dzinondishamisira muromo wadzo, shumba inobvamburanya uye inoomba.
  14238. Psa 22:14 Ndakadururwa semvura, nemapfupa angu ose aparadzana; moyo wangu wakaita senamo; wakanyauka mukati meura hwangu.
  14239. Psa 22:15 Simba rangu rakaoma sechaenga; nerurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; uye makandiisa paguruva rerufu.
  14240. Psa 22:16 Nokuti imbwa dzakandikomberedza; ungano yevakaipa yakandipoteredza; vakaboora maoko angu nemakumbo angu.
  14241. Psa 22:17 Ndingaverenga mapfupa angu ose; ivo vanonditarisa, vanondinan’anidza.
  14242. Psa 22:18 Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, nekukanda mujenya pamusoro pechipfeko changu.
  14243. Psa 22:19 Asi imwi Jehovha, regai kuva kure; simba rangu, kurumidzai kurubatsiro rwangu.
  14244. Psa 22:20 Nunurai mweya weupenyu wangu pamunondo; iwo woga wangu pasimba rembwa.
  14245. Psa 22:21 Ndiponesei pamuromo weshumba; nokuti makandipindura ndiri panyanga dzenyati.
  14246. Psa 22:22 Ndicharondedzera zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai pakati peungano.
  14247. Psa 22:23 Imwi munotya Jehovha, murumbidzei; imwi mose chizvarwa chaJakove, mukudzei; uye mumutyei, imwi mose chizvarwa chaIsraeri.
  14248. Psa 22:24 Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko reanotambudzwa, uye haana kumuvanzira chiso chake; asi paakachema kwaari, wakanzwa.
  14249. Psa 22:25 Rumbidzo yangu nekuda kwenyu ichava paungano huru; ndicharipa mhiko dzangu pamberi pevanomutya.
  14250. Psa 22:26 Vanyoro vachadya ndokuguta; vacharumbidza Jehovha ivo vanomutsvaka; moyo wenyu uchararama nekusingaperi.
  14251. Psa 22:27 Migumo yose yenyika icharangarira ndokudzokera kuna Jehovha; nemarudzi ose evahedheni achashumira pamberi penyu.
  14252. Psa 22:28 Nokuti ushe ndehwaJehovha; uye anotonga pakati pevahedheni.
  14253. Psa 22:29 Vakakora vose venyika vachadya uye vachashumira; vose vanoburukira kuguruva vachafugama pamberi pake, neasina kuchengeta mweya weupenyu wake uri mupenyu.
  14254. Psa 22:30 Mbeu ichamushumira; icharondedzerwa kuna Ishe kuzera iro.
  14255. Psa 22:31 Vachauya uye vachadudzira kururama kwake kuvanhu vachazozvarwa, kuti wakazviita.
  14256. Psa 23:0 Pisarema raDhavhidhi.
  14257. Psa 23:1 Jehovha mufudzi wangu; handishaiwi.
  14258. Psa 23:2 Anondirarisa pamafuro manyoro; anondisesedza pamvura inozorodza.
  14259. Psa 23:3 Anovandudza mweya weupenyu wangu; anondisesedza panzira dzekururama nekuda kwezita rake.
  14260. Psa 23:4 Hongu, kunyange ndikafamba nemumupata wemumvuri werufu, handingatyi chakaipa, nokuti imwi muneni; tsvimbo yenyu nemudonzvo wenyu, ndizvo zvinondinyaradza.
  14261. Psa 23:5 Munogadzira tafura mberi kwangu pamberi pevavengi vangu; munozodza musoro wangu nemafuta; mukombe wangu unopfachuka.
  14262. Psa 23:6 Zvirokwazvo kunaka nenyasha zvichanditevera mazuva ose eupenyu hwangu; uye ndichagara mumba maJehovha kusvika paurefu hwemazuva.
  14263. Psa 24:0 Pisarema raDhavhidhi.
  14264. Psa 24:1 Nyika ndeyaJehovha, nekuzara kwayo, nyika nevagere mairi.
  14265. Psa 24:2 Nokuti iye wakaiteya pamusoro pemakungwa, nekuisimbisa pamusoro penzizi.
  14266. Psa 24:3 Ndiani achakwira mugomo raJehovha? Kana ndiani achamira panzvimbo yake tsvene?
  14267. Psa 24:4 Uyo ane maoko akachena nemoyo wakashambidzika; asingasimudziri mweya weupenyu wake kune zvisina maturo, neasingapiki mukunyengera.
  14268. Psa 24:5 Iye achagamuchira maropafadzo kubva kuna Jehovha, nekururamiswa kubva kuna Mwari weruponeso rwake.
  14269. Psa 24:6 Urwu rudzi rweavo vanomutsvaka, vanotsvaka chiso chenyu, iye Jakove. Sera.
  14270. Psa 24:7 Simudzai misoro yenyu, imwi masuwo; uye simudzwai, imwi magonhi arinhi narinhi; kuti kupinde mambo wekubwinya.
  14271. Psa 24:8 Ndiani uyu mambo wekubwinya? Jehovha ane simba neumhare, Jehovha ane umhare pahondo.
  14272. Psa 24:9 Simudzai misoro yenyu imwi masuwo; hongu simukai imwi magonhi arinhi narinhi; kuti kupinde mambo wekubwinya.
  14273. Psa 24:10 Ndiani uyu mambo wekubwinya? Jehovha wehondo, ndiye mambo wekubwinya. Sera.
  14274. Psa 25:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  14275. Psa 25:1 Kwamuri Jehovha, ndinosimudzira mweya weupenyu wangu.
  14276. Psa 25:2 Mwari wangu, ndinovimba nemwi, ngandirege kunyadziswa; vavengi vangu ngavarege kupemberera pamusoro pangu.
  14277. Psa 25:3 Hongu, kusanyadziswa umwe wevanokumirira; ngavanyadziswe vanodarika pasina chikonzero.
  14278. Psa 25:4 Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu.
  14279. Psa 25:5 Nditungamirirei muchokwadi yenyu, uye ndidzidzisei; nokuti imwi muri Mwari weruponeso rwangu; ndakakumirirai zuva rose.
  14280. Psa 25:6 Rangarirai, Jehovha, nyasha dzenyu neunyoro hwenyu, nokuti zvaivapo kubva rinhi narinhi.
  14281. Psa 25:7 Regai kurangarira zvivi zveudiki hwangu, nezvitadzo zvangu; zvichienderana nengoni dzenyu imwi mundirangarire, nekuda kwekunaka kwenyu, Jehovha.
  14282. Psa 25:8 Jehovha wakanaka uye wakarurama; naizvozvo achadzidzisa vatadzi panzira.
  14283. Psa 25:9 Achatungamirira vanyoro pamutongo, nekudzidzisa vanyoro nzira yake.
  14284. Psa 25:10 Nzira dzose dzaJehovha unyoro nechokwadi kune avo vanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.
  14285. Psa 25:11 Nekuda kwezita renyu, Jehovha, kanganwirai chitadzo changu, nokuti chikuru.
  14286. Psa 25:12 Ndeupi munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nenzira yaachasarudza.
  14287. Psa 25:13 Mweya weupenyu wake uchagara muzvakanaka; uye mbeu yake ichagara nhaka yenyika.
  14288. Psa 25:14 Zvakavanzika zvaJehovha ndezvevanomutya; nesungano yake kuizivisa kwavari.
  14289. Psa 25:15 Meso angu anorambira pana Jehovha, nokuti ndiye achabudisa tsoka dzangu pamumbure.
  14290. Psa 25:16 Tendeukirai kwandiri, mugondinzwira ngoni, nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
  14291. Psa 25:17 Matambudziko emoyo wangu akura; ndibudisei panjodzi dzangu.
  14292. Psa 25:18 Tarisai dambudziko rangu, nekurwadziwa kwangu; uye kanganwirai zvivi zvangu zvose.
  14293. Psa 25:19 Tarisai vavengi vangu nokuti vakawanda; uye vanondivenga nehasha dzembengo.
  14294. Psa 25:20 Chengetai mweya weupenyu wangu, mundinunure; ngandirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemwi.
  14295. Psa 25:21 Uchokwadi nekururama ngazvindichengete, nokuti ndinokumirirai.
  14296. Psa 25:22 Mwari, dzikinurai Israeri kubva panjodzi dzake dzose.
  14297. Psa 26:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  14298. Psa 26:1 Nditongerei Jehovha, nokuti ini ndakafamba muuchokwadi hwangu; ndakavimbawo naJehovha; handitedzemuki.
  14299. Psa 26:2 Ndinzverei Jehovha, mugondiedza; natsurudzai itsvo dzangu nemoyo wangu.
  14300. Psa 26:3 Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pemeso angu, uye ndakafamba muchokwadi chenyu.
  14301. Psa 26:4 Handina kugara nevanhu vekunyengera, uye handingafambi nevanovanza.
  14302. Psa 26:5 Ndakavenga ungano yevaiti vezvakaipa, uye handigari nevatadzi.
  14303. Psa 26:6 Ndichashambidza maoko angu mukusava nemhosva; ndigopoteredza aritari yenyu, Jehovha.
  14304. Psa 26:7 Kuti ndinzwise nenzwi rekuvonga, uye ndirondedzere mabasa enyu ose anoshamisa.
  14305. Psa 26:8 Jehovha, ndakada ugaro hweimba yenyu, nenzvimbo yetabhenakeri yekubwinya kwenyu.
  14306. Psa 26:9 Musaunganidza mweya weupenyu wangu pamwe nevatadzi, neupenyu hwangu pamwe nevarume veropa.
  14307. Psa 26:10 Mumaoko avo mune uipi, neruoko rwavo rwerudyi rwuzere fufuro.
  14308. Psa 26:11 Asi ini ndichafamba muuchokwadi hwangu; ndidzikunurei, mundinzwire tsitsi.
  14309. Psa 26:12 Rutsoka rwangu rwakamira panzvimbo yakaenzana; ndicharumbidza Jehovha padziungano.
  14310. Psa 27:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  14311. Psa 27:1 Jehovha chiedza changu neruponeso rwangu; ndiani wandingatya? Jehovha isimba reupenyu hwangu; ndiani wandingabvunda?
  14312. Psa 27:2 Pakaswedera kwandiri vakaipa, vavengi vangu, nevadzivisi vangu kwandiri, kuzodya nyama yangu, ivo vakagumburwa vakawa.
  14313. Psa 27:3 Kunyange hondo ikandidzikira musasa, moyo wangu haungatyi; kunyange kurwa kukandimukira, ndichavimba neizvi.
  14314. Psa 27:4 Chinhu chimwe ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka: Kugara kwangu mumba maJehovha mazuva ose eupenyu hwangu, kuona kunaka kwaJehovha, nekurangarira mutembere yake.
  14315. Psa 27:5 Nokuti nezuva renjodzi anondiviga mudumba rake; achandivanza pakavanda petende rake; achandikwiridza padombo.
  14316. Psa 27:6 Zvino ikozvino musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pevavengi vangu vanondikomba; naizvozvo ndichabaira zvibairo zvemufaro mutende rake. Ndichaimba, uye ndichaimba rumbidzo kuna Jehovha.
  14317. Psa 27:7 Inzwai Jehovha, inzwi rangu, ndichidana; ivaiwo netsitsi neni mugondipindura.
  14318. Psa 27:8 Makati: Tsvakai chiso changu. Moyo wangu wakati kwamuri: Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.
  14319. Psa 27:9 Regai kundivanzira chiso chenyu; musadzinga muranda wenyu pakutsamwa; maiva rubatsiro rwangu; regai kundirasa, kana kundisiya, Mwari weruponeso rwangu.
  14320. Psa 27:10 Baba vangu namai vangu pavanondisiya, ipapo Jehovha achandiunganidza.
  14321. Psa 27:11 Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; uye munditungamirire panzira yakati chechetere, nekuda kwevavengi vangu.
  14322. Psa 27:12 Regai kundikumikidza kuchido chevavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira, naiye anofemereka hasha.
  14323. Psa 27:13 Ndingadai ndakaparara kunze kwekuti ndakatenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha panyika yevapenyu.
  14324. Psa 27:14 Rindira Jehovha; iva nesimba, nemoyo wako usimbe; hongu, rindira Jehovha.
  14325. Psa 28:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  14326. Psa 28:1 Ndichadana kwamuri, Jehovha; dombo rangu, regai kundinyararira; zvimwe [kana] mukandinyararira ndingafanana nevanoburukira kugomba.
  14327. Psa 28:2 Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichemera rubatsiro kwamuri, kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yenyu yeinzwi dzvene.
  14328. Psa 28:3 Musandikweva pamwe nevakaipa uye pamwe nevaiti vezvakaipa, ivo vanotaura rugare kuvavakidzani vavo, asi chakaipa chiri mumoyo mavo.
  14329. Psa 28:4 Muvape zvinoenderana nezviito zvavo uye zvinoenderana neuipi hwezviito zvavo; vapei zvinotevera basa remaoko avo; dzoserai kwavari chiito chavo.
  14330. Psa 28:5 Nokuti havana hanya nemabasa aJehovha, kana nekuita kwemaoko ake, achavaputsa nekusavavaka.
  14331. Psa 28:6 Ngaarumbidzwe Jehovha, nokuti wakanzwa inzwi remikumbiro yangu.
  14332. Psa 28:7 Jehovha isimba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, uye ndakabatsirwa; naizvozvo moyo wangu wakapembera, uye ndinomurumbidza nerwiyo rwangu.
  14333. Psa 28:8 Jehovha isimba ravo, uye inhare yeruponeso rukuru rwemuzodzwa wake.
  14334. Psa 28:9 Ponesai vanhu venyu, uye ropafadzai nhaka yenyu, muvafudzewo, muvatakure kusvika rinhi narinhi.
  14335. Psa 29:0 Pisarema raDhavhidhi.
  14336. Psa 29:1 Ipai kuna Jehovha, imwi vanakomana vemasimba, ipai kuna Jehovha kudzo nesimba.
  14337. Psa 29:2 Ipai kuna Jehovha kudzo yezita rake; shumirai Jehovha mukunaka kweutsvene.
  14338. Psa 29:3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pedzimvura; Mwari wekubwinya anotinhira; Jehovha ari pamusoro pedzimvura zhinji.
  14339. Psa 29:4 Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rine ukuru.
  14340. Psa 29:5 Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari; hongu, Jehovha anovhunyana misidhari yeRebhanoni.
  14341. Psa 29:6 Anoikwakusa semhuru; Rebhanoni neSirioni semhuru yenyati.
  14342. Psa 29:7 Inzwi raJehovha rinopamura mirazvo yemoto.
  14343. Psa 29:8 Inzwi raJehovha rinozunungusa renje; Jehovha anozunungusa renje reKadheshi.
  14344. Psa 29:9 Inzwi raJehovha rinoberekesa nondo, rinosvuura masango; nemutembere yake zvose zvinoti: Rukudzo.
  14345. Psa 29:10 Jehovha agere pamusoro pemafashame; hongu, Jehovha agere ari mambo kusvika rinhi narinhi.
  14346. Psa 29:11 Jehovha achapa simba kuvanhu vake; Jehovha acharopafadza vanhu vake nerugare.
  14347. Psa 30:0 Pisarema, rwiyo pakutsaurira Dhavhidhi imba.
  14348. Psa 30:1 Ndichakukudzai, Jehovha, nokuti makandisimudza, uye hamuna kuita vavengi vangu vafare pamusoro pangu.
  14349. Psa 30:2 Jehovha, Mwari wangu, ndakachema kwamuri, uye mukandirapa.
  14350. Psa 30:3 Jehovha, makakwidza mweya weupenyu wangu kubva paSheori; makandichengeta ndiri mupenyu kuti ndirege kuburukira kugomba.
  14351. Psa 30:4 Imbirai Jehovha nziyo dzekurumbidza, imwi vatsvene vake, muvonge pachirangariro cheutsvene hwake.
  14352. Psa 30:5 Nokuti pane chinguvana pakutsamwa kwake; asi tsitsi dzake ndedzeupenyu hwose. Pamadekwani kuchema kunopedza usiku hwose, asi pamangwanani pane mufaro.
  14353. Psa 30:6 Ini ndakati pakubudirira kwangu: Handingatongozununguswi.
  14354. Psa 30:7 Jehovha, netsitsi dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.
  14355. Psa 30:8 Ndakachema kwamuri, Jehovha; uye ndakakumbira kuna Ishe.
  14356. Psa 30:9 Mune rubatsiro rwei muropa rangu, pakuburukira kwangu kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira chokwadi chenyu here?
  14357. Psa 30:10 Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.
  14358. Psa 30:11 Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; makasunungura saga rangu, mukasunga chiuno changu nemufaro;
  14359. Psa 30:12 kuti rukudzo rwangu rwukuimbirei nziyo dzekurumbidza, rwurege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nekusingaperi.
  14360. Psa 31:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14361. Psa 31:1 Kwamuri Jehovha, ndinovimba; ndirege kutongonyadziswa; ndinunurei mukururama kwenyu.
  14362. Psa 31:2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rakasimba, imba yenhare yakasimba yekundiponesa.
  14363. Psa 31:3 Nokuti imwi muri dombo rangu nenhare yangu; naizvozvo nditungamirirei mundisesedze nekuda kwezita renyu.
  14364. Psa 31:4 Ndibudisei pamumbure wavakandivanzira; nokuti imwi muri nhare yangu.
  14365. Psa 31:5 Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; makandidzikinura, Jehovha, Mwari wechokwadi.
  14366. Psa 31:6 Ndakavenga vanotarisa zvisina maturo zvenhema; asi ini ndinovimba naJehovha.
  14367. Psa 31:7 Ndichafara nekufarisisa mutsitsi dzenyu; nokuti makaona dambudziko rangu; makaziva mweya weupenyu wangu mukumanikidzika kukuru.
  14368. Psa 31:8 Uye hamuna kundivharira muruoko rwemuvengi; makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
  14369. Psa 31:9 Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri padambudziko; ziso rangu rapedzwa nekurwadziwa, mweya weupenyu wangu nemuviri wangu.
  14370. Psa 31:10 Nokuti upenyu hwangu hwunopera nemarwadzo, nemakore angu nekugomera; simba rangu rinodzadzarika nekuda kwekutadza kwangu, uye mapfupa angu anopedzwa.
  14371. Psa 31:11 Ndava chizvidziwa pakati pevavengi vangu vose, asi zvikuru kuvavakidzani vangu, nechityiso kuvazivikani vangu; vanondiona kunze vanonditiza.
  14372. Psa 31:12 Ndakanganikwa sewakafa kubva pamoyo; ndava semudziyo unoparara.
  14373. Psa 31:13 Nokuti ndakanzwa kupomera kwevazhinji, kutya kurutivi rwose, pakundirangana pamwe chete kwavo; vanoronga kutora mweya wangu.
  14374. Psa 31:14 Asi ini ndakavimba nemwi, Jehovha; ndakati: Muri Mwari wangu.
  14375. Psa 31:15 Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; ndinunurei paruoko rwevavengi vangu, nepavadzingiriri vangu.
  14376. Psa 31:16 Vhenekeresai chiso chenyu pamuranda wenyu; ndiponesei nengoni dzenyu.
  14377. Psa 31:17 Jehovha, ngandirege kunyadziswa; nokuti ndakadana kwamuri; vakaipa ngavanyadziswe; ngavanyarare paguva.
  14378. Psa 31:18 Miromo yenhema ngainyaradzwe, inotaura zvakaoma kurwisa wakarurama nekuzvikudza nekuzvidza.
  14379. Psa 31:19 Haiwa, kwakakura sei kururama kwenyu, kwamakaisira avo vanokutyai, makavaitira avo vanovimba nemwi pamberi pevanakomana vevanhu.
  14380. Psa 31:20 Muchavavanza pakavanda pekuvapo kwenyu kuti vabve pamarangano emunhu; muvavige padumba pakukakavadzana kwendimi.
  14381. Psa 31:21 Jehovha ngaavongwe, nokuti wakandiitira tsitsi dzinoshamisa paguta riri nhare.
  14382. Psa 31:22 Nokuti ini ndakati pakukurumidza kwangu: Ndagurwa ndabviswa pamberi pemeso enyu. Zvakadaro makanzwa inzwi remikumbiro yangu pakuchema kwangu kwamuri.
  14383. Psa 31:23 Idai Jehovha, imwi mose vatsvene vake; Jehovha anochengeta vakatendeka, uye anotsiva zvikuru anoita nekuzvikudza.
  14384. Psa 31:24 Simbai, achasimbisa moyo wenyu, imwi mose munovimba naJehovha.
  14385. Psa 32:0 [Pisarema] raDhavhidhi. Masikiri.
  14386. Psa 32:1 Wakaropafadzwa uyo chitadzo chake chakakanganwirwa, chivi chake chakafukidzirwa.
  14387. Psa 32:2 Wakaropafadzwa munhu Jehovha waasingaverengeri chakaipa, uye pasina kunyengera pamweya wake.
  14388. Psa 32:3 Pandakanyarara, mapfupa angu akakwegura nekuvovora kwangu zuva rose.
  14389. Psa 32:4 Nokuti masikati neusiku ruoko rwenyu rwairema pamusoro pangu; unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo. Sera.
  14390. Psa 32:5 Ndakakuzivisai chivi changu, uye kuipa kwangu handina kuvanza; ndakati: Ndichareurura maererano nezvitadzo zvangu kuna Jehovha; uye imwi makakanganwira kuipa kwechivi changu. Sera.
  14391. Psa 32:6 Nekuda kweizvi umwe neumwe anotya Mwari ngaanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa; zvirokwazvo pafashame redzimvura zhinji hadzisvikiri kwaari.
  14392. Psa 32:7 Imwi muri nzvimbo yangu yekuvanda; muchandichengeta pakutambudzika; muchandikomberedza nenziyo dzekununura. Sera.
  14393. Psa 32:8 Ndichakuraira nekukudzidzisa munzira yauchafamba nayo; ndichapa zano; ziso rangu riri pamusoro pako.
  14394. Psa 32:9 Regai kuva sebhiza, senyurusi zvisina kunzwisisa; muromo waro kubatwa nemakashu nematomu, zvimwe riswedere kwauri.
  14395. Psa 32:10 Matambudziko ewakaipa akawanda; asi anovimba naJehovha, tsitsi dzichamukomba.
  14396. Psa 32:11 Farai muna Jehovha, mupembere, imwi vakarurama; pururudzai, imwi mose vakarurama pamoyo.
  14397. Psa 33:1 Pururudzai muna Jehovha, imwi vakarurama; kurumbidza kwakafanira vari muchokwadi.
  14398. Psa 33:2 Rumbidzai Jehovha nerudimbwa; muimbirei nemutengeranwa une hungiso gumi.
  14399. Psa 33:3 Muimbirei rwiyo rutsva; ridzai zvakanaka neruzha.
  14400. Psa 33:4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama; nebasa rake rose riri mukutendeka.
  14401. Psa 33:5 Anoda kururama nekururamisa; nyika izere neunyoro hwaJehovha.
  14402. Psa 33:6 Neshoko raJehovha matenga akaitwa, uye hondo dzose dzawo nekufema kwemuromo wake.
  14403. Psa 33:7 Anounganidza mvura dzegungwa semurwi; anoisa makungwa mumatura.
  14404. Psa 33:8 Nyika yose ngaitye Jehovha; vagari vose venyika ngavadedere naye.
  14405. Psa 33:9 Nokuti iye wakataura, zvikavapo; iye wakaraira, izvo ndokumira.
  14406. Psa 33:10 Jehovha anoparadza zano revahedheni; anoshaisa zvirongwa zvevanhu maturo.
  14407. Psa 33:11 Zano raJehovha rinomira kusvika rinhi narinhi, mifungo yemoyo wake kuzera nezera.
  14408. Psa 33:12 Rwakaropafadzwa rudzi Jehovha ari Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuva nhaka yake.
  14409. Psa 33:13 Jehovha wakatarisa ari kumatenga; anoona vanakomana vose vevanhu.
  14410. Psa 33:14 Ari panzvimbo yeugaro hwake anotarisa pavagari vose vepanyika.
  14411. Psa 33:15 Iye anoumba moyo yavo vose; iye anocherekedza mabasa avo ose.
  14412. Psa 33:16 Hapana mambo anoponeswa neuwandu hwehondo; mhare hainunurwi neuwandu hwesimba.
  14413. Psa 33:17 Bhiza harina maturo pakukunda; uye harinunuri neukuru hwesimba raro.
  14414. Psa 33:18 Tarirai, ziso raJehovha riri pamusoro pevanomutya, pane vanorindira tsitsi dzake;
  14415. Psa 33:19 kununura mweya weupenyu wavo parufu, nekuvararamisa panzara.
  14416. Psa 33:20 Mweya weupenyu wedu wakarindira Jehovha; ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.
  14417. Psa 33:21 Nokuti moyo wedu uchafara maari, nokuti takavimba nezita rake dzvene.
  14418. Psa 33:22 Tsitsi dzenyu ngadzive pamusoro pedu, Jehovha, sezvatakakurindirai.
  14419. Psa 34:0 [Pisarema] raDhavhidhi, paakazviita benzi pamberi paAbhimereki, iye akamudzinga, akaenda.
  14420. Psa 34:1 Ndicharumbidza Jehovha panguva dzose; rumbidzo yake icharamba iri mumuromo mangu.
  14421. Psa 34:2 Mweya weupenyu wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanyoro vachazvinzwa, vakafara.
  14422. Psa 34:3 Kudzai Jehovha pamwe neni; ngatisimudzire zita rake pamwe chete.
  14423. Psa 34:4 Ndakatsvaka Jehovha; uye akandipindura, akandinunura pakutya kwangu kose.
  14424. Psa 34:5 Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nemufaro; uye zviso zvavo hazvinganyadziswi.
  14425. Psa 34:6 Murombo uyu wakachema; uye Jehovha wakanzwa, akamuponesa panjodzi dzake dzose.
  14426. Psa 34:7 Mutumwa waJehovha anodzika musasa kukomberedza avo vanomutya, nekuvanunura.
  14427. Psa 34:8 Ravirai, muone kuti Jehovha wakanaka; wakaropafadzwa murume anovimba naye.
  14428. Psa 34:9 Ityai Jehovha, imwi vatsvene vake; nokuti vanomutya havana chinoshaikwa.
  14429. Psa 34:10 Vana veshumba vanoshaiwa, vane nzara; asi avo vanotsvaka Jehovha havashaiwi chipi nechipi chakanaka.
  14430. Psa 34:11 Uyai imwi vana, munditeerere; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
  14431. Psa 34:12 Ndoupi munhu anoshuva upenyu, anoda mazuva kuti aone zvakanaka?
  14432. Psa 34:13 Chengeta rurimi rwako kubva pane zvakaipa, nemiromo yako irege kutaura zvinonyengera.
  14433. Psa 34:14 Ibva pazvakaipa, uite zvakanaka; tsvaka rugare, umhanye kurutevera.
  14434. Psa 34:15 Meso aJehovha ari pavakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchema kwavo.
  14435. Psa 34:16 Chiso chaJehovha chinorwisa vanoita zvakaipa, kuti agure chiyeuchidzo chavo panyika.
  14436. Psa 34:17 Vakadana, uye Jehovha wakanzwa, akavanunura panjodzi dzavo dzose.
  14437. Psa 34:18 Jehovha ari pedo nevane moyo yakaputsika, anoponesa vane mweya yakapwanyika.
  14438. Psa 34:19 Matambudziko ewakarurama mazhinji; asi Jehovha anomununura kubva paari ose.
  14439. Psa 34:20 Anochengeta mapfupa ake ose; hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.
  14440. Psa 34:21 Zvakaipa zvichauraya wakaipa; uye vanovenga wakarurama vachapiwa mhosva.
  14441. Psa 34:22 Jehovha anodzikinura mweya weupenyu wevaranda vake; uye vose vanovimba naye havangapiwi mhosva.
  14442. Psa 35:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  14443. Psa 35:1 Kakavadzanai, Jehovha, nevanokakavadzana neni; irwai nevanorwa neni.
  14444. Psa 35:2 Batisisai nhovo huru nenhovo diki, musimukire rubatsiro rwangu.
  14445. Psa 35:3 Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira kurwisa vadzingiriri vangu; itii kumweya weupenyu wangu: Ndiri ruponeso rwako.
  14446. Psa 35:4 Ngavanyadziswe vazvidzwe vanotsvaka mweya weupenyu wangu; ngavadzoserwe shure vavhiringidzwe vanorongera dambudziko rangu.
  14447. Psa 35:5 Ngavave sehundi pamberi pemhepo; uye mutumwa waJehovha ngaavasunde.
  14448. Psa 35:6 Nzira yavo ngaive rima, itedze kwazvo; uye mutumwa waJehovha avadzingirire.
  14449. Psa 35:7 Nokuti pasina chikonzero vakandivanzira mumbure wavo mugomba; pasina chikonzero vakacherera mweya weupenyu wangu.
  14450. Psa 35:8 Kuparadzwa ngakusvike kwaari akarivara; uye mumbure wake waakavanza ngaumubate iye; ngaawire mauri pakuparadzwa.
  14451. Psa 35:9 Asi mweya weupenyu wangu uchafarira Jehovha; uchapembera muruponeso rwake.
  14452. Psa 35:10 Mapfupa angu ose achati: Jehovha, ndiani wakaita semwi, munonunura murombo pane ane simba kumupfuura, hongu murombo nemushaiwi pane anomupamba?
  14453. Psa 35:11 Zvapupu zvezvakaipa zvinosimuka; vanondibvunza zvandisingazivi.
  14454. Psa 35:12 Vanonditsivira zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka; mune mariro mumweya weupenyu wangu.
  14455. Psa 35:13 Asi kana ndiri ini, pakurwara kwavo chipfeko changu chaiva saga; ndakaninipisa mweya weupenyu wangu nekutsanya, uye munyengetero wangu wakadzokera muchipfuva changu.
  14456. Psa 35:14 Ndakafamba sezvinonzi ishamwari uye sezvinonzi ihama kwandiri; ndakakotama kuchema seanochema mai.
  14457. Psa 35:15 Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwe; vakarasiwa vakaungana kundirwisa, zvino ndaiva ndisingazivi; vakabvambura vakasamira.
  14458. Psa 35:16 Sevakaipa vanodadira pamabiko vakandigedera mazino avo.
  14459. Psa 35:17 Ishe, muchatarisa kusvika rinhi? Dzosai mweya weupenyu wangu pakuparadza kwavo, mudikanwi wangu padzishumba.
  14460. Psa 35:18 Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pevanhu vane simba.
  14461. Psa 35:19 Varege kufara pamusoro pangu avo vari vavengi vangu zvenhema, kana ngavabwaire ziso ivo vanondivenga pasina chikonzero.
  14462. Psa 35:20 Nokuti havatauri rugare; asi vanoronga mashoko eunyengeri kurwisa vakanyarara panyika.
  14463. Psa 35:21 Zvino vakandishamisira muromo wavo zvikuru, vakati: Hekani, hekani! Meso edu akazviona.
  14464. Psa 35:22 Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kuva kure neni.
  14465. Psa 35:23 Zvimutsei, mumukire mutongo wangu, nyaya yangu, Mwari wangu naIshe wangu.
  14466. Psa 35:24 Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, zvichienderana nekururama kwenyu, uye ngavarege kufara pamusoro pangu.
  14467. Psa 35:25 Ngavarege kuti mumoyo wavo: Hekani, chishuvo chedu; ngavarege kuti: Tamumedza.
  14468. Psa 35:26 Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwe chete, vanofarira padambudziko rangu; ngavafukidzwe nekunyara nekuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu.
  14469. Psa 35:27 Ngavadanidzire nemufaro, vafare, ivo vanoshuva kururama kwangu; hongu ngavati rinhi narinhi: Ngaakudzwe Jehovha, iye anoshuva rugare rwemuranda wake.
  14470. Psa 35:28 Zvino rurimi rwangu rwuchataura kururama kwenyu, zuva rose kurumbidzwa kwenyu.
  14471. Psa 36:0 Kumutungamiriri wekuimba. [Pisarema] raDhavhidhi muranda waJehovha.
  14472. Psa 36:1 Nhaurwa yekupanduka kune wakaipa [iri] mumoyo mangu: Hakuna kutya Mwari pamberi pemeso ake.
  14473. Psa 36:2 Nokuti anozvinyengera pameso ake, uipi hwake kusvika hwawanikwa huchivengeka.
  14474. Psa 36:3 Mashoko emuromo wake uipi neunyengeri; anoguma kuchenjera nekuita zvakanaka.
  14475. Psa 36:4 Anoronga chakaipa pamubhedha wake; anozvimisa panzira isina kunaka; haarambi chakaipa.
  14476. Psa 36:5 Jehovha, ngoni dzenyu dziri kumatenga; kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
  14477. Psa 36:6 Kururama kwenyu kwakaita semakomo makuru; mitongo yenyu udziku ukuru; Jehovha, munoponesa munhu nemhuka.
  14478. Psa 36:7 Rwakakosha sei rudo rweunyoro hwenyu, Mwari! Naizvozvo vana vevanhu vanotsvaka utiziro pamumvuri wemapapiro enyu.
  14479. Psa 36:8 Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; uye muchavanwisa parwizi rwemafaro enyu.
  14480. Psa 36:9 Nokuti kwamuri kune chitubu cheupenyu; muchiedza chenyu tichaona chiedza.
  14481. Psa 36:10 Ruenderere mberi rudo rweunyoro hwenyu kune vanokuzivai, nekururama kwenyu kune vakarurama pamoyo.
  14482. Psa 36:11 Rutsoka rwevanozvikudza ngarurege kusvika kwandiri; neruoko rwewakaipa ngarurege kundidzungaidza.
  14483. Psa 36:12 Ndipo vabati vezvakaipa pavawira; vawisirwa pasi uye havagoni kumuka.
  14484. Psa 37:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  14485. Psa 37:1 Usashungurudzika nekuda kwevaiti vezvakaipa; usagodora vabati vezvakaipa.
  14486. Psa 37:2 Nokuti vachakurumidza kugurwa seuswa, nekusvava seuswa unyoro.
  14487. Psa 37:3 Vimba naJehovha, uye ita zvakanaka; gara panyika, uye uzvifunde nekutendeka.
  14488. Psa 37:4 Uye zvifadze muna Jehovha; zvino achapa kwauri mikumbiro yemoyo wako.
  14489. Psa 37:5 Ipa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye; zvino iye achazviita.
  14490. Psa 37:6 Uye achabudisa kururama kwako sechiedza, nemutongo wako semasikati makuru.
  14491. Psa 37:7 Nyarara pana Jehovha, umurindire; usazvishungurudza pamusoro peanobudirira nenzira yake, pamusoro pemunhu anoita mazano akaipa.
  14492. Psa 37:8 Rega kutsamwa, usiye hasha; usazvishungurudza, zvinongopinza chete mukuita zvakaipa.
  14493. Psa 37:9 Nokuti vaiti vezvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha, ivo vachagara nhaka yenyika.
  14494. Psa 37:10 Pachine chinguvana, wakaipa haachazovipo; kunyange ukacherekedza nzvimbo yake, achange asipo.
  14495. Psa 37:11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika; uye vachazvifadza neuwandu hwerugare.
  14496. Psa 37:12 Wakaipa anorongera wakarurama, nekumugedera mazino ake.
  14497. Psa 37:13 Ishe achamuseka; nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.
  14498. Psa 37:14 Vakaipa vakavhomora munondo, uye vakawembura uta hwavo, kuwisira pasi murombo neanoshaiwa, kuuraya wakarurama panzira.
  14499. Psa 37:15 Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo, uye uta hwavo uzhinji huchavhuniwa.
  14500. Psa 37:16 Chishoma wakarurama chaanacho chiri nani pane pfuma yevakaipa vazhinji.
  14501. Psa 37:17 Nokuti maoko evakaipa achavhuniwa; asi Jehovha anotsigira vakarurama.
  14502. Psa 37:18 Jehovha anoziva mazuva evakarurama; uye nhaka yavo ichava nekusingaperi.
  14503. Psa 37:19 Havanganyadziswi nenguva yekuipa; nepamazuva enzara vachaguta.
  14504. Psa 37:20 Asi vakaipa vachaparara; uye vavengi vaJehovha vachanyangarika sekubwinya kwemafuro; vachanyangarika muutsi.
  14505. Psa 37:21 Wakaipa anokwereta asingadzoreri; asi wakarurama ane tsitsi, anopa.
  14506. Psa 37:22 Nokuti vakaropafadzwa naye vachagara nhaka yenyika; asi vakatukwa naye vachagurwa.
  14507. Psa 37:23 Nhanho dzemunhu wakarurama dzinoruramiswa naJehovha; uye anofarira munzira yake.
  14508. Psa 37:24 Kunyange akawa, haangarasirwi pasi; nokuti Jehovha anotsigira ruoko rwake.
  14509. Psa 37:25 Ndaiva mudiki, zvino ndakwegura; zvakadaro handina kuona wakarurama achisiiwa, nembeu yake ichitsvaka zvekudya.
  14510. Psa 37:26 Zuva rose ane tsitsi, uye anopa chikwereti; nembeu yake iropafadzo.
  14511. Psa 37:27 Ibva pane zvakaipa, uye ita zvakanaka; ugare kusvika rinhi narinhi.
  14512. Psa 37:28 Nokuti Jehovha anoda mutongo; uye haangasii vatsvene vake; vachachengetedzwa kusvika rinhi narinhi; asi mbeu yevakaipa ichagurwa.
  14513. Psa 37:29 Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagaramo kusvika rinhi narinhi.
  14514. Psa 37:30 Muromo wewakarurama unoreva uchenjeri; nerurimi rwake rwunotaura mutongo.
  14515. Psa 37:31 Murau waMwari wake uri mumoyo make; nhanho dzake hadzitedzemuki.
  14516. Psa 37:32 Wakaipa anochenjerera wakarurama, uye anotsvaka kumuuraya.
  14517. Psa 37:33 Jehovha haangamusii muruoko rwake; uye haangamupi mhosva paanotongwa.
  14518. Psa 37:34 Rindira Jehovha, uye chengeta nzira yake; zvino achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; panogurwa vakaipa uchaona.
  14519. Psa 37:35 Ndakaona wakaipa anotyisa, achitandavara semuti munyoro panyika yawo yechisikigo.
  14520. Psa 37:36 Zvakadaro anopfuura, zvino tarira, haachipo, hongu, ndakamutsvaka asi haana kuwanikwa.
  14521. Psa 37:37 Cherekedzai wakaperera, muone wakarurama; nokuti kuguma kwemunhu uyu rugare.
  14522. Psa 37:38 Asi vadariki vachaparadzwa pamwe chete; kuguma kwevakaipa kuchagurwa.
  14523. Psa 37:39 Asi ruponeso rwevakarurama rwunobva kuna Jehovha, nhare yavo panguva yekutambudzika.
  14524. Psa 37:40 Zvino Jehovha anovabatsira, nekuvanunura; achavanunura kune vakaipa, nekuvaponesa, nokuti vanotizira kwaari.
  14525. Psa 38:0 Pisarema raDhavhidhi, rekuyeudzira.
  14526. Psa 38:1 Jehovha, regai kunditsiura pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga pakupfuta kwehasha dzenyu.
  14527. Psa 38:2 Nokuti miseve yenyu yakanyura mandiri, uye ruoko rwenyu rwunonyura pamusoro pangu.
  14528. Psa 38:3 Hapana utano munyama yangu nekuda kwekutsamwa kwenyu; hakuna rugare mumapfupa angu nekuda kwechivi changu.
  14529. Psa 38:4 Nokuti zvitadzo zvangu zvapfuura musoro wangu; semutoro unorema zvinondiremera kwazvo.
  14530. Psa 38:5 Maronda angu anonhuhwa akaora nekuda kweupenzi hwangu.
  14531. Psa 38:6 Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kupfuurikidza; zuva rose ndinofamba ndichichema.
  14532. Psa 38:7 Nokuti chiuno changu chizere neutsva; uye hapana utano panyama yangu.
  14533. Psa 38:8 Ndakarukutika, ndakakuika zvikuru kwazvo; ndakavovora nekuda kwekugomera kwemoyo wangu.
  14534. Psa 38:9 Ishe, chishuvo changu chose chiri pamberi penyu, uye kugomera kwangu hakuna kuvanziwa kwamuri.
  14535. Psa 38:10 Moyo wangu unorova; simba rangu randisiya; uye chiedza chemeso angu, naicho hachipo pandiri.
  14536. Psa 38:11 Vanondida neshamwari dzangu vanomira kure nehosha yangu; nevavakidzani vangu vanomira kure.
  14537. Psa 38:12 Avowo vanotsvaka upenyu hwangu vanoisa misungo; uye vanotsvaka kukuvara kwangu vanotaura kuparadza kukuru, nekufunga unyengeri ukuru zuva rose.
  14538. Psa 38:13 Asi ini ndakaita sematsi, handinzwi, uye sembeveve isingashamisi muromo wayo.
  14539. Psa 38:14 Hongu ndakaita semunhu asinganzwi, uye pasina makakava pamuromo wake.
  14540. Psa 38:15 Nokuti kwamuri, Jehovha, ndinovimba; imwi muchapindura, Ishe Mwari wangu.
  14541. Psa 38:16 Nokuti ndakati: Zvimwe vafare pamusoro pangu. Panotedzemuka rutsoka rwangu vanozvikudza kupikisana neni.
  14542. Psa 38:17 Nokuti ndava pedo nekukamhina; nemarwadzo angu ari pamberi pangu rinhi narinhi.
  14543. Psa 38:18 Nokuti ndichazivisa uipi hwangu; ndichashungurudzika nechivi changu.
  14544. Psa 38:19 Asi vavengi vangu vapenyu vane simba; nevanondivenga pasina chikonzero vawanda.
  14545. Psa 38:20 Naivowo vanotsiva chakaipa pachinzvimbo chechakanaka vavengi vangu, nokuti ndinoteverera chakanaka.
  14546. Psa 38:21 Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, musava kure neni.
  14547. Psa 38:22 Kurumidzai kundibatsira, Ishe, ruponeso rwangu.
  14548. Psa 39:0 Kumutungamiriri wekuimba, kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.
  14549. Psa 39:1 Ndakati: Ndichachenjerera nzira dzangu, kuti ndirege kutadza nerurimi rwangu; ndichachengeta muromo wangu netomu, kana wakaipa achipo pamberi pangu.
  14550. Psa 39:2 Ndaiva mbeveve nekunyarara, ndakanyararira zvakanaka; uye kutambudzika kwangu kwakamutswa.
  14551. Psa 39:3 Moyo wangu waipisa mukati mangu; mukurangarira kwangu moto wakapfuta; ndakataura nerurimi rwangu:
  14552. Psa 39:4 Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, uye chiyero chemazuva angu kuti chakadii; kuti ndizive kuti ndinopfuura zvakadii.
  14553. Psa 39:5 Tarirai, makaita mazuva angu ave upamhi hwechanza; nezera rangu sechinhu pasina pamberi penyu; zvirokwazvo, munhu umwe neumwe pakumira kwake haana maturo zvachose. Sera.
  14554. Psa 39:6 Zvirokwazvo, munhu umwe neumwe anofamba-famba semumvuri; zvirokwazvo, vanoshungurudzika pasina; anounganidza, asi haazivi kuti ndiani achazvivuta.
  14555. Psa 39:7 Uye zvino, Ishe, ndakarindirei? Tariro yangu iri mamuri.
  14556. Psa 39:8 Ndinunurei pakudarika kwangu kose; regai kundiita chiseko chebenzi.
  14557. Psa 39:9 Ndaiva ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; nokuti ndimwi makaita.
  14558. Psa 39:10 Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ini ndapedzwa nehasha dzeruoko rwenyu.
  14559. Psa 39:11 Pamunoraira munhu nekutsiura nekuda kwechitadzo, munoita kunaka kwake kunyunguduke sechipfukuto; zvirokwazvo munhu umwe neumwe haasi chinhu. Sera.
  14560. Psa 39:12 Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; uye ipai nzeve kukuchema kwangu; regai kunyarara pamisodzi yangu; nokuti ndiri mweni kwamuri, mutorwa, semadzibaba angu ose.
  14561. Psa 39:13 Regai kunditarisa, kuti ndibukire, ndisati ndabva, uye ndive ndisisipo.
  14562. Psa 40:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14563. Psa 40:1 Ndakarindira-rindira Jehovha; uye wakarerekera kwandiri, ndokunzwa kuchema kwangu.
  14564. Psa 40:2 Akandinyururawo pagomba rekuparadzwa, mudziva rematope, ndokuisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa nhanho dzangu.
  14565. Psa 40:3 Zvino wakaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rumbidzo kuna Mwari wedu; vazhinji vachazviona ndokutya, uye vachavimba naJehovha.
  14566. Psa 40:4 Wakaropafadzwa munhu anoita Jehovha chivimbo chake, uye asingacheukiri kune vanozvikudza, neavo vanotsaukira kunhema.
  14567. Psa 40:5 Imwi makaita zvishamiso zvenyu zvive zvizhinji, Jehovha Mwari wangu, nemifungo yenyu kwatiri; hapana angaenzaniswa nemwi. Ndikada kuzvirondedzera nekuzvireva, zvakawandisa kuti zviverengwe.
  14568. Psa 40:6 Chibairo nechipo hamushuvi; makazarura nzeve dzangu; chipo chinopiswa nechipo chezvivi hamuna kuzvireva.
  14569. Psa 40:7 Ipapo ndakati: Tarirai ndauya; murugwaro rwakapetwa makanyorwa nezvangu.
  14570. Psa 40:8 Ndinofarira kuita chido chenyu, Mwari wangu; hongu, murau wenyu uri mukati meura hwangu.
  14571. Psa 40:9 Ndakaparidza kururama paungano huru; tarira, handina kudzora miromo yangu, Jehovha, imwi munoziva.
  14572. Psa 40:10 Handina kuvanza kururama kwenyu pakati pemoyo wangu; ndakataura kutendeka kwenyu neruponeso rwenyu; handina kuvanza rudo rweunyoro hwenyu nechokwadi chenyu kuungano huru.
  14573. Psa 40:11 Imwi, Jehovha, musandinyima tsitsi dzenyu; rudo rweunyoro hwenyu nechokwadi chenyu ngazvindichengete rinhi narinhi.
  14574. Psa 40:12 Nokuti zvakaipa zvisingaverengeki zvakandikomba; zvitadzo zvangu zvakandibata zvekuti handigoni kuona; zvakawanda kupfuura bvudzi remusoro wangu; naizvozvo moyo wangu wandisiya.
  14575. Psa 40:13 Zvikufadzei, Jehovha kundinunura; Jehovha kurumidzai kurubatsiro rwangu.
  14576. Psa 40:14 Ngavanyadziswe vazvidzwe pamwe chete avo vanotsvaka mweya weupenyu wangu kuuparadza; ngavadzoserwe shure vashorwe ivo vanoshuva chakaipa changu.
  14577. Psa 40:15 Ngavaparadzwe uve mubairo wenyadzi dzavo vanoti kwandiri: Hekani waro, hekani waro!
  14578. Psa 40:16 Vose vanokutsvakai ngavafare vapembere mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavati rinhi narinhi: Ngaakudzwe Jehovha!
  14579. Psa 40:17 Asi ndiri murombo nemushaiwi; Ishe anondirangarira; ndimwi mubatsiri wangu nemununuri wangu; Mwari wangu, musanonoka.
  14580. Psa 41:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14581. Psa 41:1 Wakaropafadzwa anorangarira murombo; Jehovha achamununura nezuva rechakaipa.
  14582. Psa 41:2 Jehovha achamuchengetedza, nekumuraramisa; achava wakaropafadzwa panyika; uye hamungamukumikidzi kuchido chevavengi vake.
  14583. Psa 41:3 Jehovha achamutsigira panhovo yeurwere; muchashandura nhovo yake yose pahosha yake.
  14584. Psa 41:4 Ini ndakati: Jehovha, ndinzwirei tsitsi; poresai mweya weupenyu wangu; nokuti ndakakutadzirai.
  14585. Psa 41:5 Vavengi vangu vanotaura kuipa pamusoro pangu vachiti: Achafa rinhi, zita rake rirove?
  14586. Psa 41:6 Kunyange kana achiuya kuona, anotaura zvisina maturo; moyo wake unozviunganidzira uipi; anobuda panze, ndokutaura.
  14587. Psa 41:7 Vose vanondivenga vanoita zeve-zeve pamwe chete kundirwisa; vanondirongera zvakaipa kwandiri; vachiti:
  14588. Psa 41:8 Chinhu chakaipa chakanamatira paari; uye sezvo akarara pasi, haachamukizve.
  14589. Psa 41:9 Hongu, murume weushamwari hwangu wandaivimba maari, aidya chingwa changu, wakandisimudzira chichitsinho.
  14590. Psa 41:10 Asi imwi, Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mugondisimudzira, kuti ndivatsive.
  14591. Psa 41:11 Neizvi ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haana kufara pamusoro pangu.
  14592. Psa 41:12 Kana ndiri ini, munonditsigira pauchokwadi hwangu; uye munondiisa pamberi penyu kusvika rinhi narinhi.
  14593. Psa 41:13 Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi. Ameni, uye Ameni.
  14594. Psa 42:0 Kumutungamiriri wekuimba. Maskiri; yevanakomana vaKora.
  14595. Psa 42:1 Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya weupenyu wangu unokutakwairirai, Mwari.
  14596. Psa 42:2 Mweya weupenyu wangu une nyota kuna Mwari, kuna Mwari mupenyu; ndichasvika rinhi ndionekwe pamberi pechiso chaMwari?
  14597. Psa 42:3 Misodzi yangu yanga iri zvekudya zvangu masikati neusiku, pavanoti kwandiri zuva rose: Mwari wako aripi?
  14598. Psa 42:4 Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya weupenyu wangu mukati mangu, nokuti ndakaenda nechaunga, ndakaenda navo kuimba yaMwari neinzwi remufaro nerumbidzo, chaunga chaichengetedza mabiko.
  14599. Psa 42:5 Unokotamirei, mweya weupenyu wangu, uye unoshushikanirei mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomupa kuvonga, ruponeso rukuru rwechiso chake.
  14600. Psa 42:6 Mwari wangu, mweya weupenyu wangu wakakotama mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri panyika yaJoridhani, neHerimoni, pachikomo cheMizari.
  14601. Psa 42:7 Udziku hunodana udziku pakutinhira kwemapopopo enyu; mafungu enyu ose nemaboporodzi enyu akapfuura nepamusoro pangu.
  14602. Psa 42:8 Jehovha acharaira rudo rweunyoro hwake masikati, nepausiku rwiyo rwake ruchava neni, munyengetero kuna Mwari weupenyu hwangu.
  14603. Psa 42:9 Ndichati kuna Mwari, dombo rangu: Makandikanganwirei? Ndinofambirei ndichichema nekuda kwemanikidzo yemuvengi?
  14604. Psa 42:10 Neguyo pamapfupa angu, vavengi vangu vanondimhura, pavanoti kwandiri zuva rose: Mwari wako aripi?
  14605. Psa 42:11 Unokotamirei, mweya weupenyu wangu? Uye unoshushikanirei mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomupa kuvonga, ruponeso rukuru rwechiso changu, naMwari wangu.
  14606. Psa 43:1 Nditongei Mwari, mureverere nyaya yangu parudzi rwusingatyi Mwari; ndinunurei pamunhu weunyengeri nekusakarurama.
  14607. Psa 43:2 Nokuti imwi muri Mwari weutiziro hwangu; mandirasirei? Ndinofambirei ndichichema nekuda kwemanikidzo yemuvengi?
  14608. Psa 43:3 Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu; ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, nekutabhenakeri dzenyu.
  14609. Psa 43:4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, mufaro wekufara kwangu. Hongu, ndichakurumbidzai nembira, Mwari, Mwari wangu.
  14610. Psa 43:5 Unokotamirei, mweya weupenyu wangu? Uye unoshushikanirei mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomupa kuvonga, ruponeso rukuru rwechiso changu, naMwari wangu.
  14611. Psa 44:0 Kumutungamiriri wekuimba. Wevanakomana vaKora. Masikiri.
  14612. Psa 44:1 Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatirondedzera; basa ramakabata pamazuva avo, pamazuva ekare.
  14613. Psa 44:2 Imwi neruoko rwenyu makadzinga vahedheni panhaka, ndokuvasima ivo; makatambudza marudzi, asi makavaparadzira.
  14614. Psa 44:3 Nokuti havana kugara nhaka yenyika nemunondo wavo, neruoko rwavo haruna kupa ruponeso kwavari; asi chanza chenyu cherudyi, neruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, nokuti maifadzwa navo.
  14615. Psa 44:4 Ndimwi mambo wangu, Mwari; rairai kusunungurwa kukuru kwaJakove.
  14616. Psa 44:5 Nemwi tichasunda vavengi vedu; nezita renyu tichatsikira pasi vanotimukira.
  14617. Psa 44:6 Nokuti handingavimbi neuta hwangu, nemunondo wangu haungandiponesi.
  14618. Psa 44:7 Asi makatiponesa pavavengi vedu, uye makanyadzisa vanotivenga.
  14619. Psa 44:8 Muna Mwari tinozvirumbidza zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu kusvika rinhi narinhi. Sera.
  14620. Psa 44:9 Asi makarasa uye makatinyadzisa; uye hamuchabudi nehondo dzedu.
  14621. Psa 44:10 Makatidzoseresa shure kubva pamuvengi wedu; uye vanotivenga vanozvitapira.
  14622. Psa 44:11 Makatipa semakwai kuva zvekudya, uye makatiparadzira pakati pevahedheni.
  14623. Psa 44:12 Munotengesa vanhu venyu pasina fuma, uye hamuwedzeri chinhu nemutengo wavo.
  14624. Psa 44:13 Munotiita chinyadzo kuvavakidzani vedu, chiseko nechizvidzwa kune vakatipoteredza.
  14625. Psa 44:14 Munotiita dimikira pakati pevahedheni, kudzungudzwa kwemusoro pakati pevanhu.
  14626. Psa 44:15 Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu; nechinyadzo chechiso changu chakandifukidza;
  14627. Psa 44:16 nekuda kweinzwi remutuki nemuzvidzi; nekuda kwemuvengi nemutsivi.
  14628. Psa 44:17 Izvi zvose zvatiwira; zvakadaro hatina kukukanganwai, uye hatina kuita nekunyengedza pasungano yenyu.
  14629. Psa 44:18 Moyo yedu haina kudzokera shure, kana nhanho dzedu kutsauka pagwara renyu.
  14630. Psa 44:19 Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yemabukanana, mukatifukidza nemumvuri werufu.
  14631. Psa 44:20 Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, kana kutandavadzira maoko edu kuna mwari wendudzi:
  14632. Psa 44:21 Mwari haanganzveri izvi here? Nokuti anoziva zvakavanzika zvemoyo.
  14633. Psa 44:22 Zvirokwazvo, nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinotorwa semakwai ekubaiwa.
  14634. Psa 44:23 Pepukai, munorarirei, Ishe? Mukai, musatirasa nekusingaperi.
  14635. Psa 44:24 Munovanzirei chiso chenyu, muchikanganwa matambudziko edu nemanikidzo dzedu?
  14636. Psa 44:25 Nokuti mweya weupenyu wedu wakotamira kuguruva; dumbu redu rinonamatira pavhu.
  14637. Psa 44:26 Simukirai rubatsiro rwedu, uye tidzikunurei nekuda kwetsitsi dzenyu.
  14638. Psa 45:0 Kumutungamiriri wekuimba; paShoshanimi. [Pisarema] revanakomana vaKora. Masikiri. Rwiyo rwerudo ruzhinji.
  14639. Psa 45:1 Moyo wangu unotutuma nyaya yakanaka; ndinotaura zvinhu zvandakaitira mambo; rurimi rwangu ipeni yemunyori anokurumidza.
  14640. Psa 45:2 Imwi makanaka kupfuura vana vevanhu; nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; naizvozvo Mwari wakakuropafadzai nekusingaperi.
  14641. Psa 45:3 Sungai munondo wenyu pachidya, Wemasimba, ukuru hwenyu neumambo hwenyu.
  14642. Psa 45:4 Nemuumambo hwenyu, tasvai mubudirire, nekuda kwechokwadi neunyoro nekururama; neruoko rwenyu rwerudyi rwukudzidzisei zvinhu zvinotyisa.
  14643. Psa 45:5 Miseve yenyu inopinza pamoyo yevavengi vamambo; marudzi achawa pasi penyu.
  14644. Psa 45:6 Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri; tsvimbo yeushe hwenyu itsvimbo yekururama.
  14645. Psa 45:7 Munoda kururama, uye munovenga kuipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura shamwari dzenyu.
  14646. Psa 45:8 Nguvo dzenyu dzose imura nearosi neakasia, kubva pamizinda yenyanga dzenzou, pavakakufadzai nazvo.
  14647. Psa 45:9 Vakunda vemadzimambo vari pakati pevanhukadzi venyu vanokudzwa; vahosi vamambo vamire paruoko rwerudyi rwako, vakapfeka goridhe reOfiri.
  14648. Psa 45:10 Teerera, mukunda, uye ona, uye rereka nzeve yako; kanganwawo vanhu vekwako, neimba yababa vako.
  14649. Psa 45:11 Ipapo mambo achashuva kunaka kwako; nokuti ndiye Ishe wako; umukotamire.
  14650. Psa 45:12 Nemukunda weTire, vafumi pakati pevanhu, vachakumbira chiso chako nechipo.
  14651. Psa 45:13 Mukunda wamambo anobwinya kose mukati; nguvo yake ndeye mabasa akarukwa egoridhe.
  14652. Psa 45:14 Uchaperekwa kuna mambo akapfeka nguvo dzine mavara-mavara; mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, vachaiswa kwamuri.
  14653. Psa 45:15 Vachaperekwa nemafaro nekufarisisa; vachapinda mumuzinda wamambo.
  14654. Psa 45:16 Panzvimbo yemadzibaba ako pachava nevana vako; achavagadza vave machinda panyika yose.
  14655. Psa 45:17 Ndicharangaridza zita renyu pamazera ose; naizvozvo marudzi achakurumbidzai kusvika rinhi narinhi.
  14656. Psa 46:0 Kumutungamiriri wekuimba. [Pisarema] revanakomana vaKora; rwiyo rweAramoti.
  14657. Psa 46:1 Mwari utiziro hwedu nesimba, wakaratidzwa kuva rubatsiro rukuru pamatambudziko.
  14658. Psa 46:2 Naizvozvo hatingatyi pakushanduka kwenyika, kunyange makomo akasudzunukira mukati memakungwa.
  14659. Psa 46:3 Mvura zhinji yawo ngaitinhire imutswe, makomo adedere nekupupuma kwawo. Sera.
  14660. Psa 46:4 Rwizi rwuripo, hova dzawo dzichafadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yedzitabhenakeri dzeWekumusoro-soro.
  14661. Psa 46:5 Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira pakuonekwa kwemangwanani.
  14662. Psa 46:6 Vahedheni vakabvongodzeka; ushe hwakazununguka; wakabudisa inzwi rake; nyika ikanyunguduka.
  14663. Psa 46:7 Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakove inhare yedu. Sera.
  14664. Psa 46:8 Uyai muone mabasa aJehovha, uyo anoisa kuparadza kukuru panyika.
  14665. Psa 46:9 Anogumisa dzihondo kusvika pakuguma kwenyika; anovhuna uta, nekugura pfumo; anopisa dzingoro mumoto.
  14666. Psa 46:10 Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; ndichasimudzirwa pakati pevahedheni, ndichasimudzirwa panyika.
  14667. Psa 46:11 Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakove inhare yedu. Sera.
  14668. Psa 47:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema revanakomana vaKora.
  14669. Psa 47:1 Uchirai, imwi marudzi ose! Pururudzai kuna Mwari neinzwi remufaro.
  14670. Psa 47:2 Nokuti Jehovha Wekumusoro-soro anotyisa; ndiMambo mukuru pamusoro penyika yose.
  14671. Psa 47:3 Achaisa vanhu pasi pedu, nemarudzi pasi petsoka dzedu.
  14672. Psa 47:4 Achatisarudzira nhaka yedu, ruremekedzo rwaJakove waanoda. Sera.
  14673. Psa 47:5 Mwari wakwira nekudanidzira, Jehovha nekurira kwehwamanda.
  14674. Psa 47:6 Imbirai Mwari rumbidzo, imbai rumbidzo; imbirai mambo wedu rumbidzo, imbai rumbidzo.
  14675. Psa 47:7 Nokuti Mwari ndiMambo wepasi pose; imbai rumbidzo nekunzwisisa.
  14676. Psa 47:8 Mwari anotonga pamusoro pevahedheni; Mwari agere pachigaro cheushe cheutsvene hwake.
  14677. Psa 47:9 Machinda evanhu aungana pamwe, vanhu vaMwari waAbhurahama. Nokuti nhovo dzepanyika ndedzaMwari; wakakwiridzirwa kwazvo.
  14678. Psa 48:0 Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.
  14679. Psa 48:1 Mukuru Jehovha, uye ndewekurumbidzwa kukuru, muguta raMwari wedu, gomo rake dzvene.
  14680. Psa 48:2 Rakanaka pakukwirira, mufaro wenyika yose igomo reZiyoni, pamativi ekumaodzanyemba, guta raMambo mukuru.
  14681. Psa 48:3 Pamizinda yake Mwari anozikanwa kuti inhare.
  14682. Psa 48:4 Nokuti tarirai, madzimambo akaungana, akapfuura pamwe chete.
  14683. Psa 48:5 Ivo vakariona, saka vakashamiswa, vakavhunduka, vakakurumidza kutiza.
  14684. Psa 48:6 Kudedera kwakavabatapo; kurwadziwa sekwemukadzi anopona.
  14685. Psa 48:7 Munoputsa zvikepe zveTarishishi nemhepo yemabvazuva.
  14686. Psa 48:8 Sezvatakanzwa, saizvozvo takaona muguta raJehovha wehondo, muguta raMwari wedu; Mwari acharisimbisa nekusingaperi. Sera.
  14687. Psa 48:9 Takafunga zverudo rweunyoro hwenyu, Mwari, mukati metembere yenyu.
  14688. Psa 48:10 Sezita renyu Mwari, ndizvo zvakaita rumbidzo yenyu kusvika kumigumo yenyika; ruoko rwenyu rwerudyi rwuzere nekururama.
  14689. Psa 48:11 Gomo reZiyoni ngarifare, vakunda vaJudha ngavafarisise, nekuda kwemitongo yenyu.
  14690. Psa 48:12 Poteredzai Ziyoni, muritenderedze; muverenge shongwe dzaro.
  14691. Psa 48:13 Isai moyo yenyu kurusvingo rwaro, gurai muongorore mizinda yaro, kuti murondedzere zera rinotevera.
  14692. Psa 48:14 Nokuti Mwari uyu ndiMwari wedu rinhi narinhi; iye achatitungamirira kusvika parufu.
  14693. Psa 49:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema revanakomana vaKora.
  14694. Psa 49:1 Inzwai chinhu ichi, vanhu vose. Ipai nzeve, vagari vose vepanyika.
  14695. Psa 49:2 Zvose vakaderera nevakakwirira, mufumi nemurombo pamwe chete.
  14696. Psa 49:3 Muromo wangu uchataura zvenjere; uye murangariro wemoyo wangu uchava njere zhinji.
  14697. Psa 49:4 Ndicharerekera nzeve yangu kufananidzo; ndichadudza dimikira rangu nembira.
  14698. Psa 49:5 Ndichatyirei pamazuva ezvakaipa, kana uipi hwevari pazvitsitsinho zvangu huchindikomberedza?
  14699. Psa 49:6 Vanovimba nefuma yavo, nekuzvikudza pakuwanda kwefuma yavo:
  14700. Psa 49:7 Munhu haatongodzikunuri hama yake, haangapi Mwari rudzikunuro rwake,
  14701. Psa 49:8 (nokuti rudzikunuro rwemweya weupenyu wavo rwunokosha, uye rwunopera nekusingaperi),
  14702. Psa 49:9 kuti arambe ari mupenyu nekusingaperi, asaona kuora.
  14703. Psa 49:10 Nokuti anoona kuti vachenjeri vanofa, benzi neasina njere vanoparara pamwe, uye vasiira vamwe fuma yavo.
  14704. Psa 49:11 Murangariro wavo wechemukati ndiwo kuti dzimba dzavo dzive dzekusingaperi, nzvimbo dzavo dzekugara dzive dzemazera ose; vanotumidza nyika zhinji mazita avo.
  14705. Psa 49:12 Asi munhu ane rukudzo haangagari; anofanana nemhuka dzinoguma.
  14706. Psa 49:13 Iyi nzira yavo upenzi hwavo; zvakadaro vanovatevera vanofara nemuromo wavo. Sera.
  14707. Psa 49:14 Semakwai vakatarirwa guva, rufu rwuchavafudza; uye vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo ndechekupedzwa neguva, kuti vasava nenzvimbo yekugara.
  14708. Psa 49:15 Asi Mwari achadzikinura mweya weupenyu wangu kubva pasimba reguva, nokuti achandigamuchira. Sera.
  14709. Psa 49:16 Usatya kana munhu achifumiswa, kana kukudzwa kweimba yake kuchiwedzerwa.
  14710. Psa 49:17 Nokuti pakufa haangatakuri chinhu; kukudzwa kwake hakungaburuki kuchimutevera.
  14711. Psa 49:18 Kunyange paupenyu hwake airumbidza mweya weupenyu wake, uye vakakurumbidza nokuti unozviitira zvakanaka,
  14712. Psa 49:19 achaenda kuzera remadzibaba ake; havangaoni chiedza kusvika pakusingaperi.
  14713. Psa 49:20 Munhu anokudzwa, uye asinganzwisisi, wakafanana nemhuka dzinoparara.
  14714. Psa 50:0 Pisarema raAsafi.
  14715. Psa 50:1 Mwari wevamwari, Jehovha, wakataura, nekudana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvika pakuvira kwaro.
  14716. Psa 50:2 Ari muZiyoni, kuperera kwekunaka, Mwari wakapenya.
  14717. Psa 50:3 Mwari wedu achauya, uye haanganyarari; moto pamberi pake uchaparadza; uye kuchava nedutu guru remhepo kumativi ake ose.
  14718. Psa 50:4 Achadana kumatenga ari kumusoro, nepanyika, kutonga vanhu vake.
  14719. Psa 50:5 Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri, avo vakaita sungano neni nechibairo.
  14720. Psa 50:6 Zvino matenga achaparidza kururama kwake, nokuti Mwari mutongi amene. Sera.
  14721. Psa 50:7 Inzwai, vanhu vangu, zvino ndichataura; Israeri, zvino ndichakupupurira; ndini Mwari, Mwari wako.
  14722. Psa 50:8 Handingakumhuri nekuda kwezvibairo zvako, kana zvipo zvako zvinopiswa zvinogara pamberi pangu.
  14723. Psa 50:9 Handingatori nzombe diki kubva paimba yako, kana nhongo dzembudzi kubva pazvirugu zvako.
  14724. Psa 50:10 Nokuti mhuka imwe neimwe yesango ndeyangu, mombe zhinji pamakomo ane churu.
  14725. Psa 50:11 Ndinoziva shiri imwe neimwe yemakomo, nemhuka dzesango dzineni.
  14726. Psa 50:12 Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza, nokuti nyika ndeyangu, nekuzara kwayo.
  14727. Psa 50:13 Ndingadya nyama yehando here, kana kunwa ropa rembudzi?
  14728. Psa 50:14 Bairai kuna Mwari chibairo chekuvonga, uye zadzisa mhiko dzako kuna Wekumusoro-soro.
  14729. Psa 50:15 Uye dana kwandiri pazuva redambudziko. Ndichakununura ugondirumbidza.
  14730. Psa 50:16 Asi kune wakaipa Mwari anoti: Unei nazvo kuti urondedzere zvimiso zvangu, kuti utore sungano yangu pamuromo wako?
  14731. Psa 50:17 Iwe zvaunovenga kurairwa, nekurasira mashoko angu shure kwako.
  14732. Psa 50:18 Kana uchiona mbavha, unofarirana nayo; nemugove wako uri pamhombwe.
  14733. Psa 50:19 Unotuma muromo wako kune zvakaipa, nerurimi rwako rwunobatanidza unyengeri.
  14734. Psa 50:20 Unogara, uchitaura kurwisa hama yako; unopa mhosva mwanakomana wamai vako.
  14735. Psa 50:21 Wakaita izvi ndikanyarara; wakafunga kuti ndakangofanana newe; ndakakutsiura, ndikakurongedzera pamberi pemeso ako.
  14736. Psa 50:22 Cherekedzai henyu izvi, imwi munokanganwa Mwari, zvimwe ndibvamburanye kukasava nemununuri.
  14737. Psa 50:23 Anopa chipo chekuvonga anondirumbidza; neanogadzira nzira yake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.
  14738. Psa 51:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi, Natani muporofita paakasvika kwaari, shure kwekunge apinda kuna Bhati-Shebha.
  14739. Psa 51:1 Ndinzwirei tsitsi, Mwari, zvichienderana nerudo rweunyoro hwenyu; zvichienderana neuwandu hwengoni dzenyu, dzimai zvitadzo zvangu.
  14740. Psa 51:2 Ndisukei kwazvo kubva pauipi hwangu, uye ndinatsei kubva pachivi changu.
  14741. Psa 51:3 Nokuti zvitadzo zvangu ini ndinoziva, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
  14742. Psa 51:4 Ndakatadza kwamuri, kwamuri moga, uye ndakaita chakaipa pameso penyu; kuti kunzi makarurama pakutaura kwenyu, makachena pakutonga kwenyu.
  14743. Psa 51:5 Tarirai, ndakaberekerwa muuipi; uye mai vangu vakagamuchira nhumbu yangu muzvivi.
  14744. Psa 51:6 Tarirai munoda chokwadi mune zvemukati; nepakavanda munondizivisa uchenjeri.
  14745. Psa 51:7 Ndinatsei nehisopi, zvino ndichava wakachena; ndishambidzei, zvino ndichava wakachena kupfuura magada echando.
  14746. Psa 51:8 Ndinzwisei mufaro nekupembera, kuti mapfupa amakavhuna afare.
  14747. Psa 51:9 Vanzai chiso chenyu kubva pazvivi zvangu, uye dzimai zvakaipa zvangu zvose.
  14748. Psa 51:10 Ndisikirei moyo wakachena, Mwari; uye vandudzai mukati mangu mweya wakasimba.
  14749. Psa 51:11 Regai kundirasa kubva pachiso chenyu; uye musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.
  14750. Psa 51:12 Dzoserai kwandiri mufaro weruponeso rwenyu, uye nditsigirei nemweya unoda.
  14751. Psa 51:13 Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
  14752. Psa 51:14 Ndinunurei pamhosva yeropa, Mwari, Mwari weruponeso rwangu; rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu zvikuru.
  14753. Psa 51:15 Ishe, zarurai miromo yangu; zvino muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.
  14754. Psa 51:16 Nokuti hamudi chibairo; nokuti ndingadai ndapa; hamufariri chipo chinopiswa.
  14755. Psa 51:17 Zvibairo zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika newakapwanyika, Mwari, hamungashori.
  14756. Psa 51:18 Itirai Ziyoni zvakanaka mukuda kwenyu; vakai masvingo eJerusarema.
  14757. Psa 51:19 Ipapo muchafadzwa nezvibairo zvekururama, nechipo chinopiswa, nechipo chose chinopiswa; ipapo vachapa nzombe zhinji pamusoro pearitari yenyu.
  14758. Psa 52:0 Kumutungamiriri wekuimba. Masikiri. [Pisarema] raDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakauya achiudza Sauro, ndokuti kwaari: Dhavhidhi wasvika paimba yaAhimereki.
  14759. Psa 52:1 Unozvirumbidzirei nezvakaipa, mhare? Tsitsi dzaMwari [dziripo] mazuva ose.
  14760. Psa 52:2 Rurimi rwako runoronga kuparadza kukuru, sechisvo chinopinza, rwunoita unyengeri.
  14761. Psa 52:3 Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka, nhema kupfuura kutaura zvakarurama. Sera.
  14762. Psa 52:4 Unoda mashoko ose ekuparadza, rurimi rwunonyengera.
  14763. Psa 52:5 Saizvozvo Mwari achakuputsa nekusingaperi; achakubata akubvise, akuvhomore kubva patende, nekukudzura kubva panyika yevapenyu. Sera.
  14764. Psa 52:6 Zvino vakarurama vachaona uye vachatya, uye vachamuseka, vachiti:
  14765. Psa 52:7 Tarirai, munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi wakavimba neuwandu hwefuma yake; akasimba muuipi hwake.
  14766. Psa 52:8 Asi ini ndakaita semuorivhi munyoro muimba yaMwari; ndakavimba netsitsi dzaMwari nekusingaperi-peri.
  14767. Psa 52:9 Ndichakuvongai nekusingaperi, nokuti makazviita; uye ndichamirira zita renyu nokuti rakanaka pamberi pevatsvene venyu.
  14768. Psa 53:0 Kumutungamiriri wekuimba. NeMaharati. Masikiri. [Pisarema] raDhavhidhi.
  14769. Psa 53:1 Benzi rakati mumoyo maro: Hakuna Mwari. Vakaodza, vakaita uipi hunonyangadza; hakuna anoita zvakanaka.
  14770. Psa 53:2 Mwari wakatarisa pasi ari kumatenga pamusoro pevanakomana vevanhu, kuona kana pane anonzwisisa, anotsvaka Mwari.
  14771. Psa 53:3 Umwe neumwe wavo wakadzokera shure; vakasvibiswa pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, hakuna neumwe.
  14772. Psa 53:4 Vaiti vezvakaipa havana zivo here? Avo vanodya vanhu vangu sevanodya chingwa. Havadani Mwari.
  14773. Psa 53:5 Ipapo vaitya zvekutya, pasina chinotyisa; nokuti Mwari wakaparadzira mapfupa eanokudzikirai musasa; makavanyadzisa; nokuti Mwari wakavazvidza.
  14774. Psa 53:6 Dai ruponeso rukuru rwaIsraeri rwaibva paZiyoni! Mwari paanodzosa utapwa hwevanhu vake, Jakove achafara, Israeri achapembera.
  14775. Psa 54:0 Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Masikiri. [Pisarema] raDhavhidhi. VaZifi pavakauya vakati kuna Sauro: Dhavhidhi haazinovanda kwatiri here?
  14776. Psa 54:1 Mwari, ndiponesei nezita renyu, uye nditongei nesimba renyu.
  14777. Psa 54:2 Mwari, inzwai munyengetero wangu; ipai nzeve pamashoko emuromo wangu.
  14778. Psa 54:3 Nokuti vatorwa vandimukira, uye vamanikidzi vanotsvaka mweya weupenyu wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo. Sera.
  14779. Psa 54:4 Tarirai, Mwari mubatsiri wangu. Ishe ari pane vanotsigira mweya weupenyu wangu.
  14780. Psa 54:5 Achatsiva uipi kuvavengi vangu; vapedzei muchokwadi chenyu.
  14781. Psa 54:6 Ndichakubairai chipo nekuzvidira; ndicharumbidza zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.
  14782. Psa 54:7 Nokuti wakandinunura kubva mudambudziko rose; uye ziso rangu rakaona chishuwo changu pavavengi vangu.
  14783. Psa 55:0 Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Masikiri. [Pisarema] raDhavhidhi.
  14784. Psa 55:1 Ipai nzeve, Mwari, kumunyengetero wangu, uye musazvivanza pamukumbiro wangu.
  14785. Psa 55:2 Teererai kwandiri, uye ndipindurei. Ndinodzungaira mukuchema kwangu, ndinoita rukunga;
  14786. Psa 55:3 nekuda kweinzwi remuvengi, nekuda kwemanikidzo yewakaipa; nokuti vakandiwisira zvakaipa, uye vanondivenga nehasha.
  14787. Psa 55:4 Moyo wangu unorwadziswa kwazvo mukati mangu; uye magarudzo erufu akandiwira.
  14788. Psa 55:5 Kuvhunduka nekubvunda zvakandisvikira; uye kutya kukuru kwakandifukidza.
  14789. Psa 55:6 Zvino ndakati: Dai ndaiva nemapapiro senjiva! Ndaibhururukira kure, ndikanozorora.
  14790. Psa 55:7 Tarirai, ndaitizira kure ndikanogara murenje. Sera.
  14791. Psa 55:8 Ndaikurumidza kupukunyuka kwangu kubva pamhepo inovhuvhuta, kubva padutu guru remhepo.
  14792. Psa 55:9 Paradzai, Ishe, paradzanisai rurimi rwavo, nokuti ndakaona manikidzo negakava muguta.
  14793. Psa 55:10 Masikati neusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; uye uipi nedambudziko zviri pakati paro.
  14794. Psa 55:11 Uipi huri mukati maro; uye manikidzo neunyengeri hazvibvi mumugwagwa waro.
  14795. Psa 55:12 Nokuti haasi muvengi wakandishora; dai zvakadaro ndaizvitakura; haasi anondivenga anozvikudza pamusoro pangu; kana zvakadaro ndaimuvanda.
  14796. Psa 55:13 Asi ndiwe, munhu wakaenzana neni, shamwari yangu nemuzikanwi wangu.
  14797. Psa 55:14 Tairairana zvinotapira tiri pamwe chete; takaenda muimba yaMwari muchaunga.
  14798. Psa 55:15 Rufu ngaruvanyangire; ngavaburukire kugehena vari vapenyu; nokuti zvakaipa zviri munzvimbo dzavo dzekugara, mukati mavo.
  14799. Psa 55:16 Kana ndiri ini, ndichadana kuna Mwari; uye Jehovha achandiponesa.
  14800. Psa 55:17 Madekwani nemangwanani nemasikati ndichagunun’una ndichiungudza; uye achanzwa inzwi rangu.
  14801. Psa 55:18 Wakanunura mweya weupenyu wangu murugare kubva pahondo yekundirwisa; nokuti vaiva pavazhinji vanondipikisa.
  14802. Psa 55:19 Mwari achanzwa, achavatambudza, iye aiva agere kare. Sera. Nokuti havana shanduko zhinji, naizvozvo havatyi Mwari.
  14803. Psa 55:20 Wakatandavadza maoko ake kurwisa vane rugare naye; wakasvibisa sungano yake.
  14804. Psa 55:21 Muromo wake waitedza seruomba, izvo moyo wake ihondo; mashoko ake aiva akanyorova kupfuura mafuta, asi iwo minondo yakavhomorwa.
  14805. Psa 55:22 Kanda mutoro wako pamusoro paJehovha, uye iye achakutsigira; haabvumi rinhi narinhi kuti wakarurama azungunuswe.
  14806. Psa 55:23 Asi imwi, Mwari, muchavaburusira kugomba rekuparadzwa; vanhu veropa neunyengeri havangararami hafu yemazuva avo. Asi ini ndichavimba nemwi.
  14807. Psa 56:0 Kumutungamiri wekuimba; neJonati-Eremi-Rekokimi. Mikitami yaDhavhidhi, vaFirisitia pavakamutora muGati.
  14808. Psa 56:1 Ndinzwirei tsitsi, Mwari, nokuti munhu anondimedza; zuva rose achirwa anondimanikidza.
  14809. Psa 56:2 Vavengi vangu vanondimedza zuva rose; nokuti vanondirwisa nekuzvikudza vazhinji.
  14810. Psa 56:3 Zuva randinotya, ini ndichavimba nemwi.
  14811. Psa 56:4 Muna Mwari ndicharumbidza shoko rake; muna Mwari ndinovimba, handingatyi. Nyama ingandiitei?
  14812. Psa 56:5 Zuva rose vanoshonyorora mashoko angu; mifungo yavo yose inondirwisa nezvakaipa.
  14813. Psa 56:6 Vanoungana, vanovanda, vanochenjerera nhanho dzangu, kana vachirindira mweya weupenyu wangu.
  14814. Psa 56:7 Vachapukunyuka nezvakaipa here? Mukutsamwa wisirai vanhu pasi, Mwari.
  14815. Psa 56:8 Makaverenga kudzungaira kwangu; imwi isai misodzi yangu muhombodo yenyu; haimo murugwaro rwenyu here?
  14816. Psa 56:9 Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nezuva randinodana. Ndinoziva izvi kuti Mwari ari kwandiri.
  14817. Psa 56:10 Muna Mwari ndicharumbidza shoko; muna Jehovha ndicharumbidza shoko.
  14818. Psa 56:11 Muna Mwari ndinovimba; handingatyi; munhu angandiitei?
  14819. Psa 56:12 Mhiko dzenyu dziri pamusoro pangu, Mwari; ndichadzosa rumbidzo huru kwamuri.
  14820. Psa 56:13 Nokuti makanunura mweya weupenyu wangu kubva parufu, hongu, tsoka dzangu pakugumburwa; kuti ndifambe pamberi paMwari muchiedza chevapenyu.
  14821. Psa 57:0 Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Mikitani yaDhavhidhi. Pakutiza kwake Sauro pabako.
  14822. Psa 57:1 Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; nokuti mweya weupenyu wangu unovimba nemwi; uye ndichatizira kumumvuri wemapapiro enyu, kusvika mharadzo dzapfuura.
  14823. Psa 57:2 Ndichachema kuna Mwari Wekumusoro-soro, kuna Mwari anondizadzisira.
  14824. Psa 57:3 Achatuma ari kumatenga, ndokundiponesa, anonyomba anondimedza. Sera. Mwari achatuma tsitsi dzake nechokwadi chake.
  14825. Psa 57:4 Mweya weupenyu wangu uri pakati peshumba; ndinorara pakati pevanopfuta, vanakomana vevanhu, mazino avo mapfumo nemiseve, uye rurimi rwavo munondo unopinza.
  14826. Psa 57:5 Ivai makakwirira kumusoro kwekumatenga, Mwari; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
  14827. Psa 57:6 Vakagadzirira tsoka dzangu mumbure; mweya weupenyu wangu wakakotama; vakachera gomba pamberi pangu; vakawira mukati maro. Sera.
  14828. Psa 57:7 Moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba ndipe rumbidzo.
  14829. Psa 57:8 Muka iwe, rukudzo rwangu; muka iwe, mutengeranwa nembira! Ndichamuka mangwanani.
  14830. Psa 57:9 Ndichakurumbidzai pakati pevanhu, Ishe. Ndichaimba kwamuri pakati pevahedheni.
  14831. Psa 57:10 Nokuti tsitsi dzenyu ihuru kusvika kumatenga, nekutendeka kwenyu kusvika kumakore.
  14832. Psa 57:11 Ivai makakwirira kumusoro kwekumatenga, Mwari; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
  14833. Psa 58:0 Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Mikitani yaDhavhidhi.
  14834. Psa 58:1 Zvirokwazvo munotaura zvakarurama here, imwi vatongi? Munotonga zvakarurama here, imwi vanakomana vevanhu?
  14835. Psa 58:2 Hongu, mumoyo munoita zvakaipa; munoyerera manikidzo yemaoko enyu panyika.
  14836. Psa 58:3 Vakaipa vakava vatorwa kubva muchibereko; vanotsauka kubva muchizvaro, vachitaura nhema.
  14837. Psa 58:4 Uturu hwavo hwakafanana neuturu hwenyoka; vakafanana nechiva chisinganzwi, chinodzivira nzeve yacho,
  14838. Psa 58:5 chisingateereri inzwi revazevezeri, mukwezvi nyanzvi yeukwezvi.
  14839. Psa 58:6 Mwari, vhunai mazino avo mumuromo mavo; Jehovha, gurai mazino pashaya yeshumbahono diki.
  14840. Psa 58:7 Ngavanyunguduke semvura inoyerera; kana achishumba gangauta kufura miseve yake, ngaive seyakagurika.
  14841. Psa 58:8 Sehozhwa inonyunguduka ngavafambe; segavamwedzi remukadzi ngavasaona zuva.
  14842. Psa 58:9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa huni dzeminzwa, achavapeperesa semuchamupupuri sevapenyu sehasha.
  14843. Psa 58:10 Wakarurama achafara paachaona tsivo; achashambidza tsoka dzake muropa rewakaipa.
  14844. Psa 58:11 Kuti munhu ati: Zvirokwazvo kune mubairo wewakarurama; zvirokwazvo ndiMwari anotonga panyika.
  14845. Psa 59:0 Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Mikitani yaDhavhidhi. Sauro paakatuma, uye vakarinda imba kumuuraya.
  14846. Psa 59:1 Ndinunurei pavavengi vangu, Mwari wangu; ndiise pakakwirira kubva pane vanondimukira.
  14847. Psa 59:2 Ndinunurei kubva kuvaiti vezvakaipa, uye ndiponesei pavanhu veropa.
  14848. Psa 59:3 Nokuti tarirai, vanovandira mweya weupenyu wangu; vane simba vakaunganira kundirwisa, pasina chitadzo changu uye pasina chivi changu, Jehovha.
  14849. Psa 59:4 Vanomhanya nekuzvigadzirira pasina mhosva; mukai, mundibatsire, muone.
  14850. Psa 59:5 Naizvozvo imwi Jehovha Mwari wedzihondo, Mwari waIsraeri, mukai kuti mushanyire vahedheni vose; musanzwira tsitsi umwe wevanyengeri pauipi. Sera.
  14851. Psa 59:6 Vanodzoka madekwani, vanoita kuhuhudza seimbwa, ndokupoteredza guta.
  14852. Psa 59:7 Tarirai, vanodzvova nemiromo yavo, minondo iri pamiromo yavo, nokuti vanoti: Ndiani anonzwa?
  14853. Psa 59:8 Asi imwi Jehovha muchavaseka, muchatuka vahedheni vose.
  14854. Psa 59:9 Nekuda kwesimba rake ndichakurindirai; nokuti Mwari inhare yangu.
  14855. Psa 59:10 Mwari wengoni dzangu achanditangira; Mwari achandionesa chishuwo changu pavavengi vangu.
  14856. Psa 59:11 Musavauraya, zvimwe vanhu vekwedu vakanganwe; vadzungaidzei nesimba renyu, uye muvaburusire pasi, imwi Jehovha, nhovo yedu.
  14857. Psa 59:12 Nechivi chemuromo wavo, neshoko remiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, uye nekuda kwekunyomba nekutaura nhema dzavanorondedzera.
  14858. Psa 59:13 Vapedzei muhasha, vapedzei vasavapo, kuti vazive kuti Mwari anotonga kwaJakove kusvika kumigumo yenyika. Sera.
  14859. Psa 59:14 Zvino ngavadzoke pamadekwani, ngavahuhudze seimbwa, uye vapoteredze guta.
  14860. Psa 59:15 Ngavadzungairire kudya; kana vasina kuguta ngavapedze usiku vachidaro.
  14861. Psa 59:16 Asi ini ndichaimbira simba renyu; hongu ndichaimbira tsitsi dzenyu zvikuru mangwanani, nokuti manga muri nhare yangu neutiziro pazuva rekutambudzika kwangu.
  14862. Psa 59:17 Ndichakuimbirai nziyo dzekurumbidza, imwi simba rangu; nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, Mwari wetsitsi dzangu.
  14863. Psa 60:0 Kumutungamiriri wekuimba; paShushani Edhuti. Mikitami yaDhavhidhi, kudzidzisa; paairwa naArami-Naharaimi naArami-Zobha, Joabhu paakadzoka akarova vaEdhomu paMupata weMunyu, zvuru gumi nezviviri.
  14864. Psa 60:1 Mwari, manga makatirasa, makatiputikira; makatsamwa; dzokerai kwatiri.
  14865. Psa 60:2 Makabvundisa nyika; makaitsemura; poresai mitswe yayo; nokuti inozununguka.
  14866. Psa 60:3 Makaratidza vanhu venyu zvakaoma; makatinwisa waini yekudzadzarika.
  14867. Psa 60:4 Makapa mureza kune vanokutyai, kuti usimudzwe nekuda kwechokwadi. Sera.
  14868. Psa 60:5 Kuti vadikanwi venyu vanunurwe; ponesai neruoko rwenyu rwerudyi, uye ndipindurei.
  14869. Psa 60:6 Mwari wakataura pautsvene hwake. Ndichapembera; ndichagova Shekemu, uye ndichayera mupata weSukoti.
  14870. Psa 60:7 Giriyadhi nderangu, uye Manase ndewangu; Efuremuwo inhare yemusoro wangu; Judha mupi wangu wemurau.
  14871. Psa 60:8 Moabhu mudziyo wangu wekushambira; pamusoro peEdhomu ndichakandira shangu yangu; Firisitia, pururudza nekukunda nekuda kwangu.
  14872. Psa 60:9 Ndiani achandiisa muguta rakasimba? Ndiani achanditungamirira kuEdhomu?
  14873. Psa 60:10 Hamuna kutirasa here, Mwari, uye hamubudi, Mwari, nedzihondo dzedu?
  14874. Psa 60:11 Tipei rubatsiro padambudziko, nokuti ruponeso rwemunhu harwuna maturo.
  14875. Psa 60:12 Muna Mwari tichaita neumhare, nokuti ndiye achatsikira vavengi vedu pasi.
  14876. Psa 61:0 Kumutungamiriri wekuimba. Nemutengeranwa. [Pisarema] raDhavhidhi.
  14877. Psa 61:1 Inzwai, Mwari, kuchema kwangu; teererai kumunyengetero wangu.
  14878. Psa 61:2 Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wepanyika, kana moyo wangu wopera; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundidarika.
  14879. Psa 61:3 Nokuti manga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba kubva pamuvengi.
  14880. Psa 61:4 Ndichagara mutende renyu rinhi narinhi; ndichatizira kunzvimbo yekuvanda yemapapiro enyu. Sera.
  14881. Psa 61:5 Nokuti imwi Mwari, makanzwa mhiko dzangu; makandipa nhaka yeavo vanotya zita renyu.
  14882. Psa 61:6 Muchawedzera mazuva pamazuva amambo; makore ake achava sezera nezera.
  14883. Psa 61:7 Achagara pamberi paMwari rinhi narinhi; mugadze ngoni nechokwadi kuti zvimuchengete.
  14884. Psa 61:8 Naizvozvo ndichaimbira zita renyu rumbidzo kusvika rinhi narinhi, kuti ndizadzise mhiko dzangu zuva nezuva.
  14885. Psa 62:0 Kumutungamiriri wekuimba; neJedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.
  14886. Psa 62:1 Zvirokwazvo, mweya weupenyu wangu unorindira Mwari murunyararo; ruponeso rwangu rwunobva kwaari.
  14887. Psa 62:2 Ndiye oga dombo rangu, neruponeso rwangu, shongwe yangu; handingazununguswi zvikuru.
  14888. Psa 62:3 Kusvika rinhi muchindirongera zvakaipa nemunhu? Mose muchaurawa, serusvingo rwakarereka, ruzhowa rwunotsveyama.
  14889. Psa 62:4 Vanoronga koga kumusunda kubva kuukuru hwake; vanofarira nhema; nemuromo wavo vanoropafadza, asi mukati mavo vanotuka. Sera.
  14890. Psa 62:5 Mweya weupenyu wangu, rindira Mwari koga murunyararo, nokuti tariro yangu inobva kwaari.
  14891. Psa 62:6 Ndiye oga dombo rangu, neruponeso rwangu, shongwe yangu; handingazununguswi.
  14892. Psa 62:7 Ruponeso rwangu nerukudzo rwangu zviri kuna Mwari; dombo resimba rangu, utiziro hwangu, zviri kuna Mwari.
  14893. Psa 62:8 Vimbai naye nenguva dzose, vanhu; dururai moyo wenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera.
  14894. Psa 62:9 Zvirokwazvo vanakomana vevanhu hachisi chinhu, vanakomana vemunhu unyepi; pazviyero vakareruka kupfuura zvisina maturo pamwe chete.
  14895. Psa 62:10 Regai kuvimba nemanikidzo, uye musamisa tariro isina maturo paupambi; kana fuma ichiwanda, musaisa moyo pairi.
  14896. Psa 62:11 Mwari wakataura kamwe, ndakanzwa izvi kaviri, kuti simba nderaMwari.
  14897. Psa 62:12 Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; nokuti imwi munoripira umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.
  14898. Psa 63:0 Pisarema raDhavhidhi, paaiva murenje raJudha.
  14899. Psa 63:1 Mwari, muri Mwari wangu, ndichakutsvakai mangwanani; mweya weupenyu wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, panyika yakaoma, yakasakara, isina mvura.
  14900. Psa 63:2 Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, kuti ndione simba renyu nekubwinya kwenyu.
  14901. Psa 63:3 Nokuti rudo rweunyoro hwenyu rwuri nani pane upenyu; miromo yangu ichakurumbidzai.
  14902. Psa 63:4 Saizvozvo ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu; ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
  14903. Psa 63:5 Mweya weupenyu wangu uchaguta nezvinenge mafuta nezvakakora; uye muromo wangu ucharumbidza nemiromo inofadza.
  14904. Psa 63:6 Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, pazvirindo ndinokufungai.
  14905. Psa 63:7 Nokuti manga muri rubatsiro rwangu; naizvozvo pamumvuri wemapapiro enyu ndichaimba ndifare.
  14906. Psa 63:8 Mweya weupenyu wangu unonamatira shure kwenyu; ruoko rwenyu rwerudyi rwunonditsigira.
  14907. Psa 63:9 Asi avo, vanotsvaka mweya weupenyu wangu kuparadza, vachaenda munzvimbo dzepasi dzenyika.
  14908. Psa 63:10 Vachakumikidzwa kusimba remunondo; vachava mugove wemakava.
  14909. Psa 63:11 Asi mambo achafara muna Mwari; umwe neumwe anopika naye achazvikudza; asi muromo wevanoreva nhema uchadzivirwa.
  14910. Psa 64:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  14911. Psa 64:1 Inzwai inzwi rangu, Mwari, pachichemo changu; chengetedzai upenyu hwangu pakutya muvengi.
  14912. Psa 64:2 Ndivanzei pazano rakavanda revakaipa, pabope revaiti vezvakaipa,
  14913. Psa 64:3 vakarodza rurimi rwavo semunondo, vakashumba museve wavo, iro shoko rinovava,
  14914. Psa 64:4 kufura wakarurama vari panzvimbo dzakavanda; kamwe-kamwe vanomufura, uye vasingatyi.
  14915. Psa 64:5 Vanozvisimbisa panyaya yakaipa; vanorondedzera zvekuteya misungo pakavanda; vanoti: Ndiani angaiona?
  14916. Psa 64:6 Vanotsvakisisa zvitadzo; vanoti: Tagadzirira nezano rakavanzwa neunyengeri; mufungo wemunhu wechemukati pamwe nemoyo zvakadzika.
  14917. Psa 64:7 Asi Mwari achavafura nemuseve; mavanga avo achakurumidza.
  14918. Psa 64:8 Zvino vanogumbusa rurimi rwavo pamusoro pavo; vose vanovaona vachatiza.
  14919. Psa 64:9 Zvino vanhu vose vachatya; uye vachaparidza basa raMwari; uye kuita kwake vachicherekedza.
  14920. Psa 64:10 Wakarurama achafara muna Jehovha, uye achavimba naye; uye vose vakarurama pamoyo vachazvikudza.
  14921. Psa 65:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema. Rwiyo rwaDhavhidhi.
  14922. Psa 65:1 Kumirira murunyararo irumbidzo kwamuri, Mwari, paZiyoni; uye mhiko dzichazadziswa mamuri.
  14923. Psa 65:2 Munzwi wemunyengetero, nyama yose ichauya kwamuri.
  14924. Psa 65:3 Zvinhu zveuipi zvandikunda; zvitadzo zvedu, imwi muchazviitira chiyananiso.
  14925. Psa 65:4 Wakaropafadzwa wamunosarudza uye wamunoswededza kuti agare pavazhe dzenyu; tichagutiswa neunaku hweimba yenyu, tembere yenyu tsvene.
  14926. Psa 65:5 Mukururama munotipindura zvinhu zvinotyisa, Mwari weruponeso rwedu, tariro yemigumo yose yenyika, neye vari kure kugungwa.
  14927. Psa 65:6 Anomisa makomo nekugwinya kwake, akasunga chiuno nesimba.
  14928. Psa 65:7 Anonyaradza kutinhira kwemakungwa, iko kutinhira kwemafungu awo, nebope revanhu.
  14929. Psa 65:8 Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; munoimbisa mangwanani nemadekwani nemufaro.
  14930. Psa 65:9 Munoshanyira nyika nekuidiridza; munoifumisa zvikuru; rwizi rwaMwari ruzere nemvura; munovagadzirira zviyo, kana maigadzira saizvozvo.
  14931. Psa 65:10 Munodiridza mihoronga yayo kwazvo; munoenzanisa mipanje yayo; munoinyorovesa nekupfunha; munoropafadza kumera kwayo.
  14932. Psa 65:11 Munoshongedza mwaka nekorona yeunaku hwenyu; uye makwara enyu anodonha mafuta.
  14933. Psa 65:12 Anodonhera pamafuro erenje; nezvikomo zvinozvisunga nemufaro.
  14934. Psa 65:13 Mafuro akapfekedzwa mapoka ezvipfuwo; uye mipata yakafukidzwa nezviyo; zvinopururudza, uye zvinoimba.
  14935. Psa 66:0 Kumutungamiriri wekuimba. Rwiyo. Pisarema.
  14936. Psa 66:1 Pururudzai kuna Mwari, imwi nyika yose.
  14937. Psa 66:2 Imbirai kubwinya kwezita rake; muite rukudzo rwake rwuve nekubwinya.
  14938. Psa 66:3 Itii kuna Mwari: Mabasa enyu anotyisa sei! Kubudikidza neukuru hwesimba renyu vavengi venyu vachazviisa pasi penyu neunyengeri.
  14939. Psa 66:4 Nyika yose ichakushumirai, uye ichakuimbirai; ichaimba zita renyu. Sera.
  14940. Psa 66:5 Uyai muone mabasa aMwari; anotyisa pakuita kuvana vevanhu.
  14941. Psa 66:6 Anoshandura gungwa kuva nyika yakaoma; vakayambuka rwizi netsoka. Ipapo takafara maari.
  14942. Psa 66:7 Anotonga nesimba rake rinhi narinhi; meso ake anorinda marudzi; vapanduki ngavarege kuzvikudza. Sera.
  14943. Psa 66:8 Vongai Mwari wedu, marudzi, uye munzwise inzwi rerumbidzo yake.
  14944. Psa 66:9 Iye wakaisa mweya weupenyu wedu muupenyu, uye asina kubvuma kuti tsoka yedu itedzemuke.
  14945. Psa 66:10 Nokuti makatiedza, Mwari; makatinatsa sekunatswa kwesirivha.
  14946. Psa 66:11 Makatipinza mumumbure; makaisa dambudziko pazviuno zvedu.
  14947. Psa 66:12 Makatasvisa munhu pamusoro pemusoro wedu; takapinda nemumoto nemumvura; asi makatibudisira kunzvimbo ine zvakawanda.
  14948. Psa 66:13 Ndichapinda mumba menyu nezvipo zvinopiswa; ndichakuripirai mhiko dzangu;
  14949. Psa 66:14 miromo yangu dzayakareva, uye muromo wangu dzawakataura ndiri mudambudziko.
  14950. Psa 66:15 Ndichapa kwamuri zvibairo zvinopiswa zvezvakakora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvemakondohwe; ndichapa nzombe pamwe nembudzi zhinji. Sera.
  14951. Psa 66:16 Uyai munzwe, imwi mose munotya Mwari, zvino ndicharondedzera zvaakaitira mweya weupenyu wangu.
  14952. Psa 66:17 Ndakachema kwaari nemuromo wangu, zvino akakudzwa pasi perurimi rwangu.
  14953. Psa 66:18 Kana ndaitarisa uipi mumoyo mangu, Ishe haazaindinzwa.
  14954. Psa 66:19 Zvirokwazvo Mwari wakanzwa; wakateerera kuinzwi remunyengetero wangu.
  14955. Psa 66:20 Ngaavongwe Mwari, iye asina kutsausa munyengetero wangu, kana tsitsi yake kubva kwandiri.
  14956. Psa 67:0 Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Pisarema, rwiyo.
  14957. Psa 67:1 Mwari ngaave netsitsi kwatiri, uye atiropafadze; ngaavhenekerese chiso chake patiri. Sera.
  14958. Psa 67:2 Kuti nzira yenyu izikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pemarudzi ose.
  14959. Psa 67:3 Marudzi ngaakurumbidzei, Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
  14960. Psa 67:4 Marudzi ngaafare uye aimbe nekupembera nokuti muchatonga vanhu zvakarurama; uye munotungamirira marudzi panyika. Sera.
  14961. Psa 67:5 Marudzi ngaakurumbidzei, Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
  14962. Psa 67:6 Nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, Mwari wedu achatiropafadza.
  14963. Psa 67:7 Mwari achatiropafadza; uye migumo yose yenyika ichamutya.
  14964. Psa 68:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema, rwiyo rwaDhavhidhi.
  14965. Psa 68:1 Mwari ngaasimuke; vavengi vake ngavaparadzirwe; uye vanomuvenga ngavatize pamberi pake.
  14966. Psa 68:2 Sekupepereswa kweutsi, vapeperesei; sekunyunguduswa kwenamo pamberi pemoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
  14967. Psa 68:3 Asi vakarurama ngavafare; ngavafarise pamberi paMwari; hongu, ngavafare nemufaro.
  14968. Psa 68:4 Imbirai Mwari; imbirai zita rake rumbidzo; musimudzire iye anotasva achipfuura nemurenje nezita rake Jehovha; uye farai pamberi pake.
  14969. Psa 68:5 Baba venherera, nemutongi wemhosva dzechirikadzi, Mwari paugaro hwake utsvene.
  14970. Psa 68:6 Mwari anovagarisa vari voga mumhuri, anobudisa vakasungwa achivaisa pakubudirira; asi vapanduki vanogara panyika yakaoma.
  14971. Psa 68:7 Mwari, pakubuda kwenyu pamberi pevanhu venyu, pakufamba kwenyu murenje; Sera;
  14972. Psa 68:8 nyika yakadengenyeka, matenga akanyorovedzawo pamberi paMwari; Sinai iri, pamberi paMwari, Mwari waIsraeri.
  14973. Psa 68:9 Makanaisa mvura zhinji, Mwari, pamunosimbisa imwi nhaka yenyu yaneta.
  14974. Psa 68:10 Ungano yenyu yakagaramo; Mwari, makagadzirira murombo muunaku hwenyu.
  14975. Psa 68:11 Ishe wakapa shoko; vakadzi vanokumikidza nyaya vaiva chaunga chikuru.
  14976. Psa 68:12 Madzimambo ehondo anotiza, anotiza. Nemukadzi mugari weimba anogova zvakapambiwa.
  14977. Psa 68:13 Kunyange muchirara pakati pezvirugu zvemakwai, muchava semapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha, neminhenga yawo negoridhe reruvara rwemashizha akatsvukuruka.
  14978. Psa 68:14 Wemasimbaose paanoparadzira madzimambomo, zvakafanana nemagada echando muZarimoni.
  14979. Psa 68:15 Gomo raMwari igomo reBhashani; gomo rine mikwidza igomo reBhashani.
  14980. Psa 68:16 Munotarisirei negodo, imwi makomo ane mikwidza? Gomo Mwari raakashuvira kuva chigaro chake. Hongu, Jehovha achagara kusvika rinhi narinhi.
  14981. Psa 68:17 Ngoro dzaMwari zvuru makumi maviri, zvuru zvezvuru; Ishe ari pakati padzo, Sinai, panzvimbo tsvene.
  14982. Psa 68:18 Makakwira kumusoro; makatapa vatapwa; makagamuchira zvipo pavanhu, hongu vapandukiwo, kuti Jehovha Mwari agare.
  14983. Psa 68:19 Ngaavongwe Ishe; anotitakudza mutoro zuva nezuva; Mwari ruponeso rwedu. Sera.
  14984. Psa 68:20 Mwari wedu ndiMwari weruponeso rukuru; uye kuna Jehovha Ishe kune kununura kukuru parufu.
  14985. Psa 68:21 Asi Mwari achapwanya musoro wevavengi vake, ganda remusoro rine vhudzi reanofamba muzvivi zvake.
  14986. Psa 68:22 Ishe wakati: Ndichavadzosa kubva paBhashani, ndichadzosa panzvimbo dzakadzika dzegungwa.
  14987. Psa 68:23 Kuti rutsoka rwako urwunyike muropa revavengi, rurimi rweimbwa dzako mariri.
  14988. Psa 68:24 Vakaona midungwe yenyu, Mwari, midungwe yaMwari wangu, Mambo wangu, panzvimbo tsvene.
  14989. Psa 68:25 Pamberi paiva nevaimbi, pashure varidzi vemitengeranwa, pakati vasikana vanoridza makandira.
  14990. Psa 68:26 Rumbidzai Mwari paungano huru, Jehovha, kubva pachitubu chaIsraeri.
  14991. Psa 68:27 Hoyu Bhenjamini mudiki, mutongi wavo, machinda aJudha, dare ravo, machinda aZebhuruni, machinda aNafutari.
  14992. Psa 68:28 Mwari wako wakaraira simba rako; simbisai, Mwari, izvo zvamakatiitira.
  14993. Psa 68:29 Nekuda kwetembere yenyu paJerusarema madzimambo achakuvigirai chipo.
  14994. Psa 68:30 Tsiurai chikara chetsanga, boka rehando, nemhuru dzemarudzi, kuti vazvininipise nemakobiri esirivha; aparadzire vanhu vanofara muhondo zhinji.
  14995. Psa 68:31 Machinda achauya kubva paEgipita. Itiyopiya achatandavadzira maoko ake kuna Mwari nekukurumidza.
  14996. Psa 68:32 Imbirai Mwari, imwi ushe uzhinji hwepanyika; imbirai Ishe rumbidzo. Sera.
  14997. Psa 68:33 Kune akatasva matenga ematenga ekare; tarirai, anopa neinzwi rake, inzwi rine simba.
  14998. Psa 68:34 Ipai Mwari simba; ukuru hwake huri pamusoro paIsraeri, uye simba rake muzvadenga.
  14999. Psa 68:35 Mwari munotyisa panzvimbo dzenyu tsvene; Mwari waIsraeri ndiye anopa vanhu simba nekugwinya. Mwari ngaavongwe.
  15000. Psa 69:0 Kumutungamiriri wekuimba; neShoshanimi. [Pisarema] raDhavhidhi.
  15001. Psa 69:1 Ndiponesei, Mwari, nokuti mvura yasvika kumweya weupenyu.
  15002. Psa 69:2 Ndinonyura munhope yakadzika, pasina kumira; ndapinda munzvimbo dzakadzika dzemvura, mafashame paanondifukidza.
  15003. Psa 69:3 Ndaneta nekuchema kwangu; huro yangu yaoma; meso angu anopera pakumirira Mwari wangu.
  15004. Psa 69:4 Vanondivenga pasina chikonzero vakawanda kupfuura vhudzi remusoro wangu; vangandiparadza, vavengi vangu venhema, vane simba. Ipapo zvandisina kupamba ndichadzorera.
  15005. Psa 69:5 Mwari, imwi munoziva maererano neupenzi hwangu, uye zvivi zvangu hazvina kuvanzirwa imwi.
  15006. Psa 69:6 Vanokumirirai ngavarege kunyadziswa nekuda kwangu, Ishe, Jehovha wehondo; vanokutsvakai ngavarege kumhurwa nekuda kwangu, Mwari waIsraeri.
  15007. Psa 69:7 Nokuti nekuda kwenyu ndakatakura kumhurwa; nyadzi dzakafukidza chiso changu.
  15008. Psa 69:8 Ndakava mutorwa kuhama dzangu, nemubvakure kuvana vamai vangu.
  15009. Psa 69:9 Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandidya; nekushorwa kukuru kwevanokushorai kwakawira pamusoro pangu.
  15010. Psa 69:10 Zvino ndakachema pakutsanya kwemweya weupenyu wangu, uye kwakava kushorwa kwangu kukuru.
  15011. Psa 69:11 Ndakaitawo saga chipfeko changu, ndokuva shumo kwavari.
  15012. Psa 69:12 Vanogara pasuwo vanotaura nezvangu; uye ndakava nziyo dzevanwi vezvinodhaka.
  15013. Psa 69:13 Asi ini, munyengetero wangu uri kwamuri, Jehovha, panguva yenyasha; Mwari, nekuwanda kwetsitsi dzenyu, ndipindurei, nechokwadi cheruponeso rwenyu.
  15014. Psa 69:14 Ndinunurei munhope, uye ndirege kunyura; ngandinunurwe pane vanondivenga nekubva muudziku hwemvura zhinji.
  15015. Psa 69:15 Fashame remvura rirege kundifukidza; uye udziku hurege kundimedza; negomba rirege kudzivira muromo waro pamusoro pangu.
  15016. Psa 69:16 Ndipindurei, Jehovha, nokuti rudo rweunyoro hwenyu rwakanaka; zvichienderana neuwandu hwetsitsi dzenyu, tendeukirai kwandiri.
  15017. Psa 69:17 Zvino musavanzira muranda wenyu chiso chenyu; nokuti ndine dambudziko, kurumidzai mundipindure.
  15018. Psa 69:18 Swederai kumweya weupenyu wangu; muudzikunure; ndinunurei nekuda kwevavengi vangu.
  15019. Psa 69:19 Imwi munoziva kushorwa kwangu, nekunyadziswa kwangu, nekuzvidzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.
  15020. Psa 69:20 Kushorwa kwakaputsa moyo wangu; uye ndakarukutika; ndanga ndakarindira tsitsi, asi kwaiva kusina; nevanyaradzi, asi handina kuvawana.
  15021. Psa 69:21 Uye vakandipa nduru kuva zvekudya zvangu; uye pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga.
  15022. Psa 69:22 Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo, uye ive riva revakagarika.
  15023. Psa 69:23 Meso avo ngaasvibiriswe kuti varege kuona; uye murambe muchigudairisa zviuno zvavo.
  15024. Psa 69:24 Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo; nehasha dzenyu dzinopfuta ngadzivabate.
  15025. Psa 69:25 Musasa wavo ngauve dongo; ngakurege kuva neanogara pamatende avo.
  15026. Psa 69:26 Nokuti vanodzingirira wamakarova imwi, uye vanorondedzera pamusoro pedambudziko revamakakuvadza.
  15027. Psa 69:27 Uye wedzerai kutadza pakutadza kwavo kuti vasapinda pakururama kwenyu.
  15028. Psa 69:28 Ngavadzimwe mubhuku revapenyu, uye vasanyorwa pamwe nevakarurama.
  15029. Psa 69:29 Asi ini ndiri murombo, ndinoshungurudzika; ruponeso rwenyu, Mwari, ngarwundimise pakakwirira pasingasvikiriki.
  15030. Psa 69:30 Ndicharumbidza zita raMwari nerwiyo, uye ndichamukudza nekuvonga.
  15031. Psa 69:31 Zvichava zvakanaka kuna Jehovha kupfuura nzombe, kana hando ine nyanga nemahwanda.
  15032. Psa 69:32 Vanyoro vachaona, vachafara; imwi munotsvaka Mwari, moyo yenyu ichararamawo.
  15033. Psa 69:33 Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi, uye haazvidzi vasungwa vake.
  15034. Psa 69:34 Matenga nenyika ngazvimurumbidze, makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.
  15035. Psa 69:35 Nokuti Mwari achaponesa Ziyoni, nekuvaka maguta aJudha; uye vagaremo ndokuagara nhaka.
  15036. Psa 69:36 Uye mbeu yevaranda vake ichaagara nhaka; uye vanoda zita rake vachagara maari.
  15037. Psa 70:0 Kumutungamiriri wekuimba. [Pisarema] raDhavhidhi. Kurangaridza.
  15038. Psa 70:1 Mwari, [pa]kundinunura, Jehovha, kurumidzirai rubatsiro rwangu.
  15039. Psa 70:2 Ngavanyadziswe vazvidzwe avo vanotsvaka mweya weupenyu wangu; ngavadzoserwe shure vanyadziswe ivo vanofarira dambudziko rangu.
  15040. Psa 70:3 Ngavadzokere shure uve mubairo wechinyadzo chavo avo vanoti: Hekani, hekani!
  15041. Psa 70:4 Vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; uye vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti: Mwari ngaave mukuru!
  15042. Psa 70:5 Asi ndiri murombo uye mushaiwi; Mwari, kurumidzai kwandiri. Imwi muri rubatsiro rwangu nemununuri wangu; Jehovha, regai kunonoka.
  15043. Psa 71:1 Kwamuri, Jehovha, ndinotizira; ngandirege kunyadziswa kusvika rinhi narinhi.
  15044. Psa 71:2 Ndinunurei mukururama kwenyu, uye mundipukunyutse; rerekai nzeve yenyu kwandiri, mugondiponesa.
  15045. Psa 71:3 Ivai kwandiri dombo rekugara, rekupinda nguva nenguva; makapa murairo kundiponesa, nokuti muri dombo rangu nenhare yangu.
  15046. Psa 71:4 Mwari wangu, ndinunurei kubva muruoko rwewakaipa, kubva muruoko rweasina kururama neane utsinye.
  15047. Psa 71:5 Nokuti imwi muri tariro yangu, Ishe Jehovha, chivimbo changu kubva paudiki hwangu.
  15048. Psa 71:6 Ndakazendama pamuri kubva muchizvaro; ndimwi makandibudisa muchibereko chamai vangu; rumbidzo yangu iri kwamuri nguva nenguva.
  15049. Psa 71:7 Ndanga ndiri sechishamiso kuvazhinji; asi imwi muri utiziro hwangu hwakasimba.
  15050. Psa 71:8 Muromo wangu ngauzadzwe nerumbidzo yenyu, zuva rose nekubwinya kwenyu.
  15051. Psa 71:9 Regai kundirasa panguva yekukwegura; musandisiya pakupera kwesimba rangu.
  15052. Psa 71:10 Nokuti vavengi vangu vanondireva; nevanovandira mweya weupenyu wangu, vanorangana zano,
  15053. Psa 71:11 vachiti: Mwari wamusiya; dzingirirai mumubate, nokuti hakuna mununuri.
  15054. Psa 71:12 Mwari, musava kure neni; Mwari wangu, kurumidzirai rubatsiro rwangu.
  15055. Psa 71:13 Ngavanyadziswe vapere avo vari vavengi vemweya weupenyu wangu; vanotsvaka kukuvara kwangu ngavafukidzwe nekushorwa nekuzvidzwa.
  15056. Psa 71:14 Asi ini ndicharamba ndichivimba, uye ndichawedzera parumbidzo yenyu yose.
  15057. Psa 71:15 Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu, zuva rose ruponeso rwenyu, nokuti handizivi uwandu hwazvo.
  15058. Psa 71:16 Ndichafamba mumasimba aShe Jehovha; ndinotaura kururama kwenyu, kwenyu koga.
  15059. Psa 71:17 Mwari, makandidzidzisa kubva paudiki hwangu; uye kusvika ikozvino ndinozivisa zvishamiso zvenyu.
  15060. Psa 71:18 Uyewo pandinenge ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari, musandisiya, kusvika ndazivisa chanza chenyu kuzera, simba renyu kune wose achauya.
  15061. Psa 71:19 Kururama kwenyuwo, Mwari, kusvika panhongonya, anoita zvinhu zvikuru, Mwari, ndiani wakaita semwi?
  15062. Psa 71:20 Wakandionesa matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchandimutsiridzazve, mugondikwidzazve kubva paudziku ukuru hwepasi.
  15063. Psa 71:21 Muchawedzera ukuru hwangu, mundinyaradze mativi ose.
  15064. Psa 71:22 Neni ndichakurumbidzai nechiridzwa chemutengeranwa, chokwadi chenyu, Mwari wangu; ndichakuimbirai rumbidzo nembira, imwi Mutsvene waIsraeri.
  15065. Psa 71:23 Miromo yangu ichapururudza pandichakuimbirai rumbidzo, nemweya weupenyu wangu wamakadzikinura.
  15066. Psa 71:24 Nerurimi rwangu rwuchataura zuva rose kururama kwenyu, nokuti vanonyara, nokuti vashoreka, vanotsvaka kukuvara kwangu.
  15067. Psa 72:0 [Pisarema] raSoromoni.
  15068. Psa 72:1 Mwari, ipai mambo mitongo yenyu, nekururama kwenyu kumwanakomana wamambo.
  15069. Psa 72:2 Achatonga vanhu venyu nekururama, nevarombo venyu nemutongo wakarurama.
  15070. Psa 72:3 Makomo achavigira vanhu rugare, nezvikomo mukururama.
  15071. Psa 72:4 Achatonga varombo vevanhu, achaponesa vana vevashaiwi, nekupwanya mumanikidzi.
  15072. Psa 72:5 Vachakutyai kana zuva richingovapo, nemwedzi uchingovapo, kumazera nemazera.
  15073. Psa 72:6 Achaburuka semvura pauswa hwakaguririrwa, sekunaya kunodiridza pasi.
  15074. Psa 72:7 Pamazuva ake wakarurama achatunga, nekuwanda kwerugare, kusvika mwedzi usisipo.
  15075. Psa 72:8 Achatongawo kubva pagungwa kusvika pagungwa, uye kubva parwizi kusvika pamigumo yenyika.
  15076. Psa 72:9 Avo vanogara murenje vachafugama pamberi pake; uye vavengi vake vachananzva guruva.
  15077. Psa 72:10 Madzimambo eTarishishi neezviwi achaunza mutero; madzimambo eShebha neSebha vachaswededza zvipo.
  15078. Psa 72:11 Hongu, madzimambo ose achakotamira pasi pamberi pake; marudzi ose achamushumira.
  15079. Psa 72:12 Nokuti achanunura mushaiwi kana achidana; nemurombo kana asina mubatsiri.
  15080. Psa 72:13 Achanzwira tsitsi murombo nemushaiwi, uye achaponesa mweya yevashaiwi.
  15081. Psa 72:14 Achadzikinura mweya wavo pakumanikidzwa nepautsinye; uye ropa ravo richava rakakosha pameso ake.
  15082. Psa 72:15 Zvino achararama, uye kwaari kuchapiwa zvegoridhe reShebha; nemunyengetero uchaitirwa iye nguva nenguva; acharumbidzwa zuva rose.
  15083. Psa 72:16 Kuchava nekuwanda kwezviyo panyika panhongonya dzemakomo; zvibereko zvazvo zvichazuzika seRebhanoni; uye vachabuka kubva muguta seuswa hwenyika.
  15084. Psa 72:17 Zita rake richavapo kusvika pakusingaperi, uye zita rake richawedzera kana zuva richingovapo. Uye vacharopafadzwa maari, marudzi ose achamuti: Wakaropafadzwa.
  15085. Psa 72:18 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari, Mwari waIsraeri, iye oga anoita zvishamiso.
  15086. Psa 72:19 Ngarirumbidzwe zita rake rine rukudzo kusvika rinhi narinhi; nyika yose yakazara nerukudzo rwake, Ameni, uye Ameni.
  15087. Psa 72:20 Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.
  15088. Psa 73:0 Pisarema raAsafi.
  15089. Psa 73:1 Zvirokwazvo Mwari wakanaka kuna Israeri, kune vakachena pamoyo.
  15090. Psa 73:2 Asi kana ndiri ini, tsoka dzangu dzakapotsa dzaenda, nhanho dzangu dzakapotsa dzatedzemuka.
  15091. Psa 73:3 Nokuti ndaigodora vanozvikudza, ndaona kubudirira kwevakaipa.
  15092. Psa 73:4 Nokuti hapana zvisungo pakufa kwavo; uye muviri wavo wakakora.
  15093. Psa 73:5 Havasi mudambudziko remunhu; uye havatambudzwi nevanhu.
  15094. Psa 73:6 Naizvozvo kuzvikudza kunovakomberedza seruketani; kumanikidza kunovafukidza senguvo.
  15095. Psa 73:7 Meso avo anobuda nekukora; mirangariro yemoyo inofashamira.
  15096. Psa 73:8 Vanoseka, uye vanotaura zvakaipa nezvemanikidzo; vanotaura vari pakuzvikudza.
  15097. Psa 73:9 Vanomisa muromo wavo kupikisa matenga; nerurimi rwavo rwunofamba panyika.
  15098. Psa 73:10 Naizvozvo vanhu vake vanodzoka pano, uye mvura dzekuzara dzinosvinirwa ivo.
  15099. Psa 73:11 Zvino vanoti: Mwari anoziva sei? Uye kune ruzivo here kune Wekumusoro-soro?
  15100. Psa 73:12 Tarirai, ava ndevasina Mwari; zvakadaro vanobudirira panyika, vanowanza fuma.
  15101. Psa 73:13 Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, nekushambidza maoko angu mukusava nemhosva.
  15102. Psa 73:14 Nokuti zuva rose ndakatambudzwa, nekurangwa kwangu mangwanani oga-oga.
  15103. Psa 73:15 Kana ndaiti: Ndichataura seizvi; tarirai, ndingadai ndakanyengera zera revanakomana venyu.
  15104. Psa 73:16 Pandinorangarira kuziva izvi, zvinondirwadza pameso pangu.
  15105. Psa 73:17 Kusvika ndapinda panzvimbo tsvene dzaMwari, ndakanzwisisa kuguma kwavo.
  15106. Psa 73:18 Zvirokwazvo munovamisa panzvimbo dzinotedza; munovawisira mukuparadza kukuru.
  15107. Psa 73:19 Haiwa, kuparara kwavo kwakaita sekubwaira kweziso! Vanopera vapedzwe nezvinotyisa.
  15108. Psa 73:20 Sechiroto pakupepuka, Ishe, pamunomuka muchazvidza mufananidzo wavo.
  15109. Psa 73:21 Saizvozvo moyo wangu wakarwadziwa, uye ndakabaiwa paitsvo dzangu.
  15110. Psa 73:22 Uye ndakava benzi risingazivi, ndakava mhuka kwamuri.
  15111. Psa 73:23 Zvakadaro ndinemwi nguva nenguva; makabata ruoko rwangu rwerudyi.
  15112. Psa 73:24 Muchanditungamirira nezano renyu, uye shure kweizvozvo munondigamuchira mukubwinya.
  15113. Psa 73:25 Ndinaani kudenga, kunze kwenyu? Uye hakuna chandinoshuva panyika kunze kwenyu.
  15114. Psa 73:26 Nyama yangu nemoyo wangu zvinopera; Mwari ndiye dombo remoyo wangu nemugove wangu kusvika rinhi narinhi.
  15115. Psa 73:27 Nokuti tarirai, avo vari kure nemwi vachaparara; makaparadza vose vanopomba vachibva kwamuri.
  15116. Psa 73:28 Asi ini, zvakandinakira kuswedera kuna Mwari; ndakaisa utiziro hwangu kuna Ishe Jehovha, kurondedzera zviito zvenyu zvose.
  15117. Psa 74:0 Masikiri yaAsafi.
  15118. Psa 74:1 Mwari, sei makatirasa nekusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairirei makwai emafuro enyu?
  15119. Psa 74:2 Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, tsvimbo yenhaka yenyu yamakadzikinura; gomo iri reZiyoni makagara mariri.
  15120. Psa 74:3 Simudzirai tsoka dzenyu kukuparadza kukuru kunoenderera, zvose zvakaipa muvengi zvawakaita panzvimbo tsvene.
  15121. Psa 74:4 Vavengi venyu vakaomba pakati penzvimbo dzenyu dzekuungana; vakamisa zviratidzo zvavo kuva zviratidzo.
  15122. Psa 74:5 Munhu anozikanwa seanosimudza masanhu musango remiti.
  15123. Psa 74:6 Asi ikozvino vanoputsa zvose zvakafomborwa zvayo nedimuro nedzinyundo.
  15124. Psa 74:7 Vakapa imba yenyu tsvene kumoto; zvakasvibisa nzvimbo yekugara yezita renyu kusvika muvhu.
  15125. Psa 74:8 Vakati mumoyo wavo: Ngativatsikirire pamwe chete; vakapisa nzvimbo dzose dzekuungana dzaMwari panyika.
  15126. Psa 74:9 Hationi zviratidzo zvedu; hapachina muporofita; uye pakati pedu hapana anoziva kuti kusvika rinhi.
  15127. Psa 74:10 Mwari, kusvika rinhi mudzivisi achishora? Muvengi achazvidza zita renyu nekusingaperi here?
  15128. Psa 74:11 Munodzoserei ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rwerudyi? Rwubvisei kubva mukati mechipfuva chenyu.
  15129. Psa 74:12 Zvakadaro Mwari ndiMambo wangu kubva kare, anoita ruponeso rukuru pakati penyika.
  15130. Psa 74:13 Ndimwi makapamura gungwa nesimba renyu; makaputsa misoro yemabukanana mumvura.
  15131. Psa 74:14 Ndimwi makaputsanya misoro yeRevhiyatani; mukamupa kuva zvekudya zvevanhu murenje.
  15132. Psa 74:15 Ndimwi makapamura zvitubu nerukova; ndimwi makaomesa nzizi dzenguva dzose.
  15133. Psa 74:16 Zuva nderenyu, neusiku ndehwenyu; ndimwi makagadzira chiedza nezuva.
  15134. Psa 74:17 Ndimwi makamisa miganhu yose yepanyika; zhizha nechando makazviumba.
  15135. Psa 74:18 Rangarirai ichi; muvengi wakazvidza Jehovha; uye rudzi benzi rwakanyomba zita renyu.
  15136. Psa 74:19 Regai kupa mweya wenjiva yenyu kumhuka; musakanganwa chaunga chevatambudziki venyu nekusingaperi.
  15137. Psa 74:20 Cherekedzai sungano; nokuti nzvimbo dzine rima dzepanyika dzizere neugaro hwemanikidzo.
  15138. Psa 74:21 Anomanikidzwa ngaarege kudzoka achinyara; murombo nemushaiwi ngavarumbidze zita renyu.
  15139. Psa 74:22 Mukai, Mwari, mumiririre nyaya yenyu; murangarire kuzvidzwa kwenyu kubva kubenzi zuva rose.
  15140. Psa 74:23 Regai kukanganwa inzwi revavengi venyu; ruzha rwevanokumukirai rwunokwira nguva nenguva.
  15141. Psa 75:0 Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Pisarema raAsafi. Rwiyo.
  15142. Psa 75:1 Tinopa kuvonga kwamuri, Mwari; tinopa kuvonga kuti zita renyu riri pedo; vanorondedzera mabasa enyu anoshamisa.
  15143. Psa 75:2 Kana ndichigamuchira nguva yakatarwa, ini ndichatonga zvakarurama.
  15144. Psa 75:3 Nyika nevagari vayo vose zvanyauka; ini ndakasimbisa mbiru dzayo. Sera.
  15145. Psa 75:4 Ndakati kune vanozvikudza: Musava vanozvikudza. Nekune vakaipa: Regai kusimudza runyanga.
  15146. Psa 75:5 Regai kusimudza runyanga rwenyu kumusoro, uye kutaura nemutsipa mukukutu.
  15147. Psa 75:6 Nokuti kukudzwa hakubvi kumabvazuva, kana kumavirira, uye hakubvi kurenje.
  15148. Psa 75:7 Asi Mwari mutongi; anoninipisa umwe uye achikudza umwe.
  15149. Psa 75:8 Nokuti muruoko rwaJehovha mune mukombe; newaini inopupuma; uzere nemusanganiswa; uye anodurura kubva mauri; asi masese awo, vakaipa vose vepanyika vachaasvina vanwe.
  15150. Psa 75:9 Asi ini ndichaparidza nekusingaperi; ndiimbire Mwari waJakove rumbidzo.
  15151. Psa 75:10 Nenyanga dzose dzevakaipa ndichagura; nyanga dzevakarurama dzichasimudzwa.
  15152. Psa 76:0 Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Pisarema raAsafi. Rwiyo.
  15153. Psa 76:1 Mwari anozikanwa kwaJudha; zita rake iguru kwaIsraeri.
  15154. Psa 76:2 PaSaremiwo pane dumbu rake, nenzvimbo yake yekugara paZiyoni.
  15155. Psa 76:3 Ipapo anovhuna miseve inopfuta yeuta, nhovo, nemunondo, nehondo. Sera.
  15156. Psa 76:4 Munobwinya, munoremekedzwa kupfuura makomo ezvakapambiwa.
  15157. Psa 76:5 Vakapambwa vakasimba pamoyo; vakarara hope dzavo; uye hakuna pamhare vakawana maoko avo.
  15158. Psa 76:6 Pakutsiura kwenyu, Mwari waJakove, zvose ngoro nebhiza zvinorara hope huru.
  15159. Psa 76:7 Imwi, iyemwi munotyisa; uye ndiani angamira pamberi penyu kubva panguva yekutsamwa kwenyu?
  15160. Psa 76:8 Makanzwisa mutongo kubva kudenga; nyika yakatya ndokunyarara,
  15161. Psa 76:9 Mwari paanomukira mutongo, kuponesa vose vanyoro venyika. Sera.
  15162. Psa 76:10 Zvirokwazvo, kutsamwa kwemunhu kuchakurumbidzai; muchasunga chiuno nemusiiwa wekutsamwa kukuru.
  15163. Psa 76:11 Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa.
  15164. Psa 76:12 Achagura mweya wemachinda; anotyisa kumadzimambo enyika.
  15165. Psa 77:0 Kumutungamiriri wekuimba. NeJedhutuni. Pisarema raAsafi.
  15166. Psa 77:1 Inzwi rangu riri kuna Mwari, uye ndinochema; inzwi rangu riri kuna Mwari, iye ndokupa nzeve kwandiri.
  15167. Psa 77:2 Pazuva rekutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe. Ruoko rwangu rwaiva rwakatandavadzwa usiku, uye harwuna kuneta; mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
  15168. Psa 77:3 Ndinorangarira Mwari, uye ndakavovora; ndinofungisisa, uye mweya weupenyu wangu wakaziya. Sera.
  15169. Psa 77:4 Makabata meso angu kuti asarara; ndakatambudzika, uye handina kutaura.
  15170. Psa 77:5 Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare-kare.
  15171. Psa 77:6 Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pausiku; ndinotaurirana nemoyo wangu; nemweya weupenyu wangu wakanzvera.
  15172. Psa 77:7 Ishe angarasa zvachose here? Uye haangavizve netsitsi zvekare here?
  15173. Psa 77:8 Rudo rweunyoro hwake rwaguma nekusingaperi here? Chivimbiso chapera kubva kuzera kusvika kuzera here?
  15174. Psa 77:9 Mwari wakanganwa kuva nenyasha here? Wakapfigira tsitsi dzake nekutsamwa here? Sera.
  15175. Psa 77:10 Zvino ndakati: Uhwu utera hwangu, makore eruoko rwerudyi rweWekumusoro-soro.
  15176. Psa 77:11 Ndicharangarira mabasa aJehovha; zvirokwazvo, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvekare.
  15177. Psa 77:12 Ndichafungisisawo zvebasa renyu rose, uye ndinotaura zvezviito zvenyu.
  15178. Psa 77:13 Mwari, nzira yenyu iri panzvimbo tsvene. Ndiani mwari mukuru saMwari?
  15179. Psa 77:14 Imwi muri Mwari anoita chishamiso; makazivisa simba renyu pakati pemarudzi.
  15180. Psa 77:15 Makadzikinura vanhu venyu neruoko rwenyu, vanakomana vaJakove naJosefa. Sera.
  15181. Psa 77:16 Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; mvura zhinji yakakuonai; yakatya; udziku ukuruwo hwakadedera.
  15182. Psa 77:17 Makore akadurura mvura; matenga akabudisa ruzha; miseve yenyuwo yakaenda uko neuko.
  15183. Psa 77:18 Inzwi remutinhiro wenyu riri muchamupupuri; mheni dzakavheneka nyika; pasi pakabvunda nekuzununguka.
  15184. Psa 77:19 Nzira yenyu iri mugungwa, negwara renyu riri mumvura zhinji zhinji, nenhanho dzenyu dzaiva dzisingazikanwi.
  15185. Psa 77:20 Makatungamirira vanhu venyu seboka remakwai neruoko rwaMozisi naAroni.
  15186. Psa 78:0 Masikiri yaAsafi.
  15187. Psa 78:1 Ipai nzeve, vanhu vangu, [ku]murau wangu; rerekerai nzeve yenyu kumashoko emuromo wangu.
  15188. Psa 78:2 Ndichashamisa muromo wangu nemufananidzo; ndichabudisa zvakavanzika zvekare,
  15189. Psa 78:3 zvatakanzwa nezvatinoziva, uye madzibaba edu akatirondedzera.
  15190. Psa 78:4 Hatingavanziri vana vavo, kuzera rinotevera, tichirondedzera rumbidzo dzaJehovha, nesimba rake, nezvishamiso zvake, zvaakaita.
  15191. Psa 78:5 Nokuti wakamisa chipupuro kwaJakove, ndokutema murau kwaIsraeri, waakaraira madzibaba edu, kuti vazivise vana vavo.
  15192. Psa 78:6 Kuti zera rinotevera rizive, vana vachazvarwa, vasimuke ndokurondedzera vana vavo.
  15193. Psa 78:7 Kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, uye vasakanganwa mabasa aMwari, asi vachengete mirau yake.
  15194. Psa 78:8 Uye vasava semadzibaba avo, zera risingateereri uye rinopanduka, zera risina kururamisa moyo waro, uye remweya waro usina kutendeka kuna Mwari.
  15195. Psa 78:9 Vana vaEfuremu, vakashonga zvombo, vafuri veuta, vakadzokera shure nezuva rehondo.
  15196. Psa 78:10 Havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba mumurau wake.
  15197. Psa 78:11 Zvino vakakanganwa zviito zvake nezvishamiso zvake zvaakavaratidza.
  15198. Psa 78:12 Wakaita chinhu chinoshamisa pamberi pemadzibaba avo, panyika yeEgipita, sango reZoani.
  15199. Psa 78:13 Wakapamura gungwa, ndokuvayambusa; uye akamisa mvura zhinji semurwi.
  15200. Psa 78:14 Masikatiwo wakavatungamirira negore, neusiku hwose nechiedza chemoto.
  15201. Psa 78:15 Wakapamura mabwe murenje, akavanwisa kwazvo sezvinobva paudziku ukuru.
  15202. Psa 78:16 Wakabudisawo hova kubva padombo, ndokuburusisa mvura zhinji senzizi.
  15203. Psa 78:17 Asi vakaendererazve kumutadzira kusvika pakumukira Wekumusoro-soro murenje.
  15204. Psa 78:18 Zvino vakaidza Mwari mumoyo wavo nekukumbira zvekudya zveruchiva rwavo.
  15205. Psa 78:19 Zvino vakataura vachipikisa Mwari vachiti: Mwari angagona kugadzira tafura murenje here?
  15206. Psa 78:20 Tarirai, wakarova dombo, mvura zhinji ndokuyerera, hongu, hova dzakapfachukira. Angagona kupawo chingwa here? Angagadzirira vanhu vake nyama here?
  15207. Psa 78:21 Naizvozvo Jehovha wakanzwa, ndokutsamwa; uye moto wakapfutidzirwa Jakove, uye kutsamwawo kwakamukira Israeri.
  15208. Psa 78:22 Nokuti havana kutenda Mwari, uye havana kuvimba neruponeso rwake.
  15209. Psa 78:23 Kunyange akaraira makore kubva kumusoro, ndokuzarura magonhi ematenga.
  15210. Psa 78:24 Zvino wakanaisa mana pamusoro pavo kuti vadye, wakavapa zviyo zvematenga.
  15211. Psa 78:25 Munhu akadya chingwa chevane simba; wakavatumira zvekudya kuti vagute.
  15212. Psa 78:26 Wakavhuvhutisa mhepo yemabvazuva kumatenga, uye nesimba rake wakafambisa mhepo yechamhembe.
  15213. Psa 78:27 Wakanaisawo nyama pamusoro pavo seguruva, neshiri dzine mapapiro sejecha regungwa.
  15214. Psa 78:28 Wakazviwisira pakati pemusasa wavo, kupoteredza nzvimbo dzavo dzekugara.
  15215. Psa 78:29 Zvino vakadya ndokuguta kwazvo, nokuti wakavavigira chishuvo chavo.
  15216. Psa 78:30 Havana kuparadzaniswa nechishuvo chavo, zvekudya zvavo zvichiri mumuromo mavo,
  15217. Psa 78:31 kutsamwa kwaMwari kwakavamukira, ndokuuraya pakati pevakakoresa vavo, ndokurova vasanangurwa kwaIsraeri.
  15218. Psa 78:32 Pane izvi zvose vakaramba vachitadza, uye havana kutenda nekuda kwezvishamiso zvake.
  15219. Psa 78:33 Naizvozvo wakapedza mazuva avo nezvisina maturo, nemakore avo pakuvhunduka.
  15220. Psa 78:34 Paakavauraya, vakamutsvaka, vakatendeuka, ndokutsvakisisa Mwari.
  15221. Psa 78:35 Zvino vakarangarira kuti Mwari idombo ravo, naMwari Wekumusoro-soro mudzikunuri wavo.
  15222. Psa 78:36 Asi vakamunyengedza nemuromo wavo, ndokumurevera nhema nerurimi rwavo.
  15223. Psa 78:37 Nokuti moyo wavo waiva usina kururama kwaari, uye usina kutendeka pasungano yake.
  15224. Psa 78:38 Asi iye, ari ane tsitsi, wakakanganwira uipi, uye haana kuparadza, hongu, nguva zhinji wakadzosa kutsamwa kwake, uye haana kumutsa kutsamwa kwake kose.
  15225. Psa 78:39 Nokuti wakarangarira kuti vaiva nyama, mhepo inopfuura uye isingadzoki.
  15226. Psa 78:40 Kazhinji sei vachimumukira murenje, vakamushungurudza mugwenga!
  15227. Psa 78:41 Hongu, vakadzoka vakaedza Mwari, vakashungurudza Mutsvene waIsraeri.
  15228. Psa 78:42 Havana kurangarira ruoko rwake, zuva raakavadzikinura pamuvengi.
  15229. Psa 78:43 Kuti wakamisa sei zviratidzo zvake paEgipita, nezvishamiso zvake pasango reZoani.
  15230. Psa 78:44 Uye wakashandura nzizi dzavo kuva ropa, nehova dzavo, kuti vasanwa.
  15231. Psa 78:45 Wakatuma pakati pavo mapupira enhunzi dzakavadya; nematacha akavaparadza.
  15232. Psa 78:46 Zvibereko zvavo wakazvipawo kumhunduru, nebasa ravo kumhashu.
  15233. Psa 78:47 Wakaparadza muzambiringa wavo nechimvuramabwe, nemionde yavo nechando chakachena.
  15234. Psa 78:48 Wakapawo zvipfuwo zvavo kuchimvuramabwe, nemapoka avo kumheni.
  15235. Psa 78:49 Wakatumira pakati pavo kutyisa kwehasha dzake, kutsamwa neshungu nekutambudzika, nekutuma vatumwa vezvakaipa zvizhinji.
  15236. Psa 78:50 Wakagadzirira hasha dzake nzira, haana kurega mweya wavo parufu, asi wakapa upenyu hwavo kuhosha.
  15237. Psa 78:51 Zvino wakarova dangwe rose muEgipita, chekutanga chesimba pamatende aHami.
  15238. Psa 78:52 Zvino wakabudisa vanhu vake semakwai, nekuvaperekedza murenje seboka.
  15239. Psa 78:53 Zvino wakavatungamirira vakachengetedzeka kuti vasatya; asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.
  15240. Psa 78:54 Zvino wakavasvitsa pamuganhu wenzvimbo yake tsvene, gomo iri, ruoko rwake rwerudyi zvarwakawana.
  15241. Psa 78:55 Wakadzingawo vechirudzi pamberi pavo, ndokugovera pakati pavo nhaka nemutaro, ndokugarisa marudzi aIsraeri mumatende avo.
  15242. Psa 78:56 Zvakadaro vakaedza, uye vakamukira Mwari Wekumusoro-soro, uye havana kuchengeta zvipupuriro zvake.
  15243. Psa 78:57 Asi vadzokera shure ndokuita nekusavimbika semadzibaba avo; vakatsauswa seuta hunonyengera.
  15244. Psa 78:58 Nokuti vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira, nekumumutsira godo nezvifananidzo zvavo zvakavezwa.
  15245. Psa 78:59 Mwari wakanzwa, wakatsamwa, ndokusema Israeri zvikuru,
  15246. Psa 78:60 zvekuti wakasiya tabhenakeri yeShiro, tende raakamisa pakati pevanhu.
  15247. Psa 78:61 Zvino wakapa simba rake kuutapwa, nekubwinya kwake kuruoko rwemuvengi.
  15248. Psa 78:62 Nekupa vanhu vake kumunondo; uye wakatsamwira nhaka yake.
  15249. Psa 78:63 Moto wakapedza majaya avo; uye mhandara dzavo hadzina kurumbidzwa.
  15250. Psa 78:64 Vapristi vavo vakawa nemunondo; uye chirikadzi dzavo hadzina kuchema.
  15251. Psa 78:65 Ipapo Ishe wakamuka semurari, seane masimba anodanidzira nekuda kwewaini.
  15252. Psa 78:66 Zvino wakarova vavengi vake necheshure; akavaisa chinyadzo nekusingaperi.
  15253. Psa 78:67 Wakarambawo tende raJosefa, uye haana kusanangura rudzi rwaEfuremu.
  15254. Psa 78:68 Asi wakasanangura rudzi rwaJudha, gomo reZiyoni raaida.
  15255. Psa 78:69 Zvino wakavaka nzvimbo yake tsvene sedzinhongonya, senyika yaakateya kusvika rinhi.
  15256. Psa 78:70 Wakasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, ndokumutora kubva kumatanga emakwai.
  15257. Psa 78:71 Kubva pakutevera matunzvi wakamuuisa kufudza Jakove vanhu vake, naIsraeri nhaka yake.
  15258. Psa 78:72 Naizvozvo wakavafudza zvichienderana neuchokwadi hwemoyo wake, ndokuvatungamirira neunyanzvi hwemaoko ake.
  15259. Psa 79:0 Pisarema raAsafi.
  15260. Psa 79:1 Mwari, vahedheni vapinda panhaka yenyu; vakasvibisa tembere yenyu tsvene; Jerusarema vakariita rive mirwi.
  15261. Psa 79:2 Zvitunha zvevaranda venyu vakapa shiri dzematenga kuva zvekudya, nyama yevatsvene venyu kuzvikara zvenyika.
  15262. Psa 79:3 Vakateura ropa ravo semvura mativi ose paJerusarema; uye hapana kuva neanoviga.
  15263. Psa 79:4 Tava chinyadzo kuvavakidzani vedu, chiseko nechizvidzwa kune vakatipoteredza.
  15264. Psa 79:5 Kusvika rinhi, Jehovha? Muchatsamwa nekusingaperi here? Godo renyu richapfuta semoto here?
  15265. Psa 79:6 Dururai hasha dzenyu pamusoro pevahedheni vasingakuziviyi, nepamusoro peushe uzhinji husingadani zita renyu.
  15266. Psa 79:7 Nokuti vakadya Jakove, neugaro hwake vakahuita dongo.
  15267. Psa 79:8 Musarangarira zvivi zvekare kutirwisa; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya pamberi pedu, nokuti takaneta kwazvo.
  15268. Psa 79:9 Tibatsirei, Mwari weruponeso rwedu, nekuda kwekukudzwa kwezita renyu; uye tinunurei nekuripira zvivi zvedu nekuda kwezita renyu.
  15269. Psa 79:10 Sei vahedheni vachiti: Mwari wavo aripi? Ngaazikanwe pakati pevahedheni pamberi pemeso edu, tsivo yeropa revaranda venyu rakateurwa.
  15270. Psa 79:11 Kugomera kwemusungwa ngakuuye pamberi penyu; zvichienderana neukuru hweruoko renyu muchengetedze vana verufu.
  15271. Psa 79:12 Uye mutsivire vavakidzani vedu kanomwe pachipfuva chavo, kushora kwavo kwavakakushorai nako, Ishe.
  15272. Psa 79:13 Naizvozvo isu, vanhu venyu, nemakwai emafuro enyu, tichakuvongai nekusingaperi; ticharondedzera kurumbidzwa kwenyu kuzera nezera.
  15273. Psa 80:0 Kumutungamiriri wekuimba. NeShoshanimi-Eduti. Pisarema raAsafi.
  15274. Psa 80:1 Ipai nzeve, mufudzi waIsraeri, imwi munotungamirira Josefa seboka, mugere [pa]makerubhi, penyai!
  15275. Psa 80:2 Mutsai simba renyu pamberi paEfuremu naBhenjamini naManase, muuye kuva ruponeso rwedu.
  15276. Psa 80:3 Tidzoserei, Mwari, uye penyesai chiso chenyu, zvino tichaponeswa.
  15277. Psa 80:4 Jehovha, Mwari wedzihondo, kusvika rinhi makatsamwira munyengetero wevanhu venyu?
  15278. Psa 80:5 Makavadyisa chingwa chemisodzi, nekuvanwisa misodzi nechiyero.
  15279. Psa 80:6 Makatiita gakava kuvavakidzani vedu, uye vavengi vedu vanoseka pakati pavo.
  15280. Psa 80:7 Tidzoserei, Mwari wedzihondo, uye penyesai chiso chenyu, zvino tichaponeswa.
  15281. Psa 80:8 Makaunza muzambiringa kubva muEgipita, makadzinga vahedheni, ndokuusima.
  15282. Psa 80:9 Makagadzirira pamberi pawo, nekudzikisa midzi yawo, kusvika wazara nyika.
  15283. Psa 80:10 Makomo akafukidzwa nemumvuri wawo, nematavi awo, misidhari yaMwari.
  15284. Psa 80:11 Wakatandisira matavi awo kugungwa, nemabukira awo kusvika kurwizi.
  15285. Psa 80:12 Makaputsirei masvingo awo, kuti vose vanopfuura nenzira vautanhe?
  15286. Psa 80:13 Nguruve yesango inouparadza, nemhuka yesango inoufura.
  15287. Psa 80:14 Mwari wehondo, dzokai henyu, mutarise pasi muri kumatenga, zvino muone, mugocherekedza muzambiringa uyu.
  15288. Psa 80:15 Uye mudzi ruoko rwako rwerudyi warwakasima, nedavi ramakazvisimbisira.
  15289. Psa 80:16 Wapiswa nemoto, watemerwa pasi; vanoparara nekutsiura kwechiso chenyu.
  15290. Psa 80:17 Ruoko rwenyu ngarwuve pamusoro pemunhu weruoko rwenyu rwerudyi, pamusoro pemwanakomana wemunhu, wamakazvisimbisira.
  15291. Psa 80:18 Naizvozvo hatingadzoki kubva kwamuri; tivandudzei, ipapo tichadana nezita renyu.
  15292. Psa 80:19 Jehovha, Mwari wehondo; tidzorei, penyesai chiso chenyu, zvino tichaponeswa.
  15293. Psa 81:0 Kumutungamiriri wekuimba. NeGititi. RaAsafi.
  15294. Psa 81:1 Imbirai kwazvo Mwari, simba redu; pururudzirai Mwari waJakove.
  15295. Psa 81:2 Torai rwiyo, mugounza gandira, mbira inonakidza pamwe nemutengeranwa.
  15296. Psa 81:3 Ridzai hwamanda pakugara kwemwedzi, panguva yakatarwa, pazuva remutambo wedu.
  15297. Psa 81:4 Nokuti ichi chimiso chaIsraeri, murau waMwari waJakove.
  15298. Psa 81:5 Wakazvitema kuva chipupuro muna Josefa, pakubuda kwake kurwisa nyika yeEgipita; ndakanzwa rurimi rwandaiva ndisingazivi.
  15299. Psa 81:6 Ndakabvisa fudzi rake kubva pamutoro; maoko ake akapfuudzwa kubva muhari.
  15300. Psa 81:7 Wakadana uri mudambudziko, zvino ndakakununura; ndakakupindura panzvimbo yakavanda yemutinhiro; ndakakunzvera pamvura zhinji dzeMeribha. Sera.
  15301. Psa 81:8 Inzwai, vanhu vangu, zvino ndichakupupurirai; Israeri, dai waindinzwa!
  15302. Psa 81:9 Hapangavi namwari wevatorwa pakati pako, uye usingakotamiri mwari wekumwe.
  15303. Psa 81:10 Ndiri Jehovha Mwari wako, wakakukwidza kubva panyika yeEgipita; shamisa muromo wako kwazvo, zvino ndichauzadza.
  15304. Psa 81:11 Asi vanhu vangu havana kuteerera kuinzwi rangu; uye Israeri haana kutenderana neni.
  15305. Psa 81:12 Naizvozvo ndakavapa mukusindimara kwemoyo wavo, kuti vafambe mumazano avo.
  15306. Psa 81:13 Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera, Israeri aifamba munzira dzangu!
  15307. Psa 81:14 Nekukurumidza ndingadai ndaderedza vavengi vavo, nekushandukirira ruoko rwangu kuvadzivisi vavo.
  15308. Psa 81:15 Vanovenga Jehovha vanozviisa pasi pake nekunyepedzera; asi nguva yavo yaivapo nekusingaperi.
  15309. Psa 81:16 Waizovadyisawo gorosi rakaisvonaka; uye ndaikugutsa neuchi hunobva padombo.
  15310. Psa 82:0 Pisarema raAsafi.
  15311. Psa 82:1 Mwari anomira paungano yemasimba; anotonga pakati pevamwari.
  15312. Psa 82:2 Kusvika rinhi muchitonga zvisina kururama, uye muchigamuchira chiso chevakaipa? Sera.
  15313. Psa 82:3 Tongerai varombo nenherera; ruramisirai vanotambudzika nevanoshaiwa.
  15314. Psa 82:4 Pukunyutsai murombo nemushaiwi, nunurai kubva muruoko rwevakaipa.
  15315. Psa 82:5 Havazivi, havanzwisisi; vanofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozununguka.
  15316. Psa 82:6 Ini ndakati: Muri vamwari, uye mose muri vanakomana veWekumusoro-soro.
  15317. Psa 82:7 Asi muchafa semunhu, nekuwa seumwe wemachinda.
  15318. Psa 82:8 Mukai, Mwari, mutonge nyika; nokuti imwi, ndudzi dzose inhaka yenyu.
  15319. Psa 83:0 Rwiyo. Pisarema raAsafi.
  15320. Psa 83:1 Mwari, regai kunyarara; regai kusataura, uye musati zii, Mwari.
  15321. Psa 83:2 Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; uye vanokuvengai vakasimudza musoro.
  15322. Psa 83:3 Vanotorera vanhu venyu zano reunyengeri, vanorangana pamusoro pevakavanzwa venyu.
  15323. Psa 83:4 Vakati: Uyai, ngativaparadzei kubva pakuva rudzi, kuti zita raIsraeri risava richarangarirwazve.
  15324. Psa 83:5 Nokuti vakarangana nemoyo umwe; vanoita sungano kurwisana nemwi.
  15325. Psa 83:6 Matende aEdhomu, nevaIshimaeri, Moabhu, nevaHagari,
  15326. Psa 83:7 Gebhari, naAmoni, naAmareki, Firisitia, pamwe nevagari veTire,
  15327. Psa 83:8 Ashuriwo wakazvibatanidza navo; vaiva ruoko pavana vaRoti. Sera.
  15328. Psa 83:9 Muvaitire saMidhiani, saSisera, saJabhini, parukova Kishoni.
  15329. Psa 83:10 Vakaparadzwa paEndori; vakava mupfudze wevhu.
  15330. Psa 83:11 Itai vakuru vavo saOrebhi uye saZeebhi; hongu, machinda avo ose saZebha uye saZarimuna.
  15331. Psa 83:12 Ivo vakati: Ngatizvitorere mafuro aMwari ave edu.
  15332. Psa 83:13 Mwari wangu, muvaite sechinyamupupuri, semakoto pamberi pemhepo.
  15333. Psa 83:14 Semoto unopisa sango, uye semurazvo unotungidza makomo.
  15334. Psa 83:15 Naizvozvo muvadzingirire nedutu renyu remhepo, uye muvatyityidzire nechamupupuri chenyu.
  15335. Psa 83:16 Zadzai zviso zvavo nenyadzi, kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.
  15336. Psa 83:17 Ngavanyadziswe uye vavhunduswe nekusingaperi; zvirokwazvo, ngavasvodeswe uye vaparare.
  15337. Psa 83:18 Kuti vazive kuti ndimwi moga, mune zita renyu ndiJehovha, Wekumusoro-soro pamusoro penyika yose.
  15338. Psa 84:0 Kumutungamiriri wekuimba. NeGititi. Kuvanakomana vaKora. Pisarema.
  15339. Psa 84:1 Dzinodika sei tabhenakeri dzenyu, Jehovha wehondo!
  15340. Psa 84:2 Mweya weupenyu wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.
  15341. Psa 84:3 Zvirokwazvo dhimba yakawana imba, nenyenganyenga dendere rayo, painoisa vana vayo, aritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.
  15342. Psa 84:4 Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; vachagara vachikurumbidzai. Sera.
  15343. Psa 84:5 Wakaropafadzwa munhu uyo simba rake riri mamuri, mune nzira huru mumoyo mavo.
  15344. Psa 84:6 Avo vanopfuura nemumupata weBhaka vanouita tsime; hongu, nemaropafadzo mvura yenhuruka inoputira.
  15345. Psa 84:7 Vanofamba kubva pasimba kuenda pasimba; umwe neumwe aonekwe pamberi paMwari paZiyoni.
  15346. Psa 84:8 Jehovha, Mwari wedzihondo, inzwa munyengetero wangu; ipai nzeve, Mwari waJakove. Sera.
  15347. Psa 84:9 Tarirai, Mwari, nhovo yedu, mugotarisa chiso chemuzodzwa wenyu.
  15348. Psa 84:10 Nokuti zuva pavazhe dzenyu riri nani pane churu. Ndinosarudza kuva pakurinda mukova muimba yaMwari wangu pane kugara mumatende euipi.
  15349. Psa 84:11 Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nerukudzo; haanganyimi zvakanaka kune vanofamba nekururama.
  15350. Psa 84:12 Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu anovimba nemwi.
  15351. Psa 85:0 Kumutungamiriri wekuimba. Kuvanakomana vaKora. Pisarema.
  15352. Psa 85:1 Jehovha, makaitira nyasha nyika yenyu; makadzosa utapwa hwaJakove.
  15353. Psa 85:2 Makakanganwira uipi hwevanhu venyu; makafukidza zvivi zvavo zvose. Sera.
  15354. Psa 85:3 Makabvisa kutsamwa kwenyu kose; makadzoka pakupfuta kwehasha dzenyu.
  15355. Psa 85:4 Tidzosei, Mwari weruponeso rwedu; mugogumisa hasha dzenyu kwatiri.
  15356. Psa 85:5 Muchatitsamwira nekusingaperi here? Mucharebesa hasha dzenyu kuzera nezera here?
  15357. Psa 85:6 Imwi hamungatimutsirudzizve here, kuti vanhu venyu vafare mamuri?
  15358. Psa 85:7 Tiratidzei tsitsi dzenyu, Jehovha; mugotipa ruponeso rwenyu.
  15359. Psa 85:8 Ndichanzwa Mwari Jehovha zvaachataura; nokuti achataura rugare kuvanhu vake nekuvatsvene vake; asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
  15360. Psa 85:9 Zvirokwazvo ruponeso rwake rwuri pedo kune vanomutya, kuti rukudzo rwugare panyika yekwedu.
  15361. Psa 85:10 Tsitsi nechokwadi zvinochingamidzana; kururama nerugare zvakatsvodana.
  15362. Psa 85:11 Chokwadi chichamera kubva pasi; uye kururama kuchatarisa pasi kuri kumatenga.
  15363. Psa 85:12 Zvirokwazvo Jehovha uchapa zvakanaka; uye nyika yedu ichapa zvibereko zvayo.
  15364. Psa 85:13 Kururama kuchafamba pamberi pake, kugoitira nhanho dzake nzira.
  15365. Psa 86:0 Munyengetero waDhavhidhi.
  15366. Psa 86:1 Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, ndipindurei; nokuti ndiri murombo nemushaiwi.
  15367. Psa 86:2 Chengetedzai mweya weupenyu wangu; nokuti ndiri wakatendeka; imwi Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemwi.
  15368. Psa 86:3 Ndinzwirei tsitsi, Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
  15369. Psa 86:4 Fadzai mweya weupenyu wemuranda wenyu, nokuti ndinosimudzira mweya weupenyu wangu kwamuri, Ishe.
  15370. Psa 86:5 Nokuti imwi Ishe, makanaka, uye munokanganwira, uye muri mukuru patsitsi kune avo vose vanodana kwamuri.
  15371. Psa 86:6 Ipai nzeve, Jehovha, kumunyengetero wangu; uye muteerere kuinzwi remikumbiro yangu.
  15372. Psa 86:7 Pazuva rekutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nokuti muchandipindura.
  15373. Psa 86:8 Hapana wakafanana nemwi pakati pevamwari, Ishe, uye hapana akaita semabasa enyu.
  15374. Psa 86:9 Marudzi ose amakaita achauya akotama pamberi penyu, Ishe, arumbidze zita renyu.
  15375. Psa 86:10 Nokuti muri mukuru, uye munoita zvinhu zvinoshamisa; muri Mwari moga.
  15376. Psa 86:11 Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha; ndichafamba muchokwadi chenyu; batanidzai moyo wangu kuti utye zita renyu.
  15377. Psa 86:12 Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nemoyo wangu wose, uye ndicharumbidza zita renyu nekusingaperi.
  15378. Psa 86:13 Nokuti tsitsi dzenyu ihuru kwandiri; uye makanunura mweya weupenyu wangu kubva mugomba repasi-pasi.
  15379. Psa 86:14 Mwari, vanozvikudza vakandimukira; uye ungano yevanomanikidza vanotsvaka mweya weupenyu wangu; uye havana kukuisai pamberi pavo.
  15380. Psa 86:15 Asi imwi, Ishe, muri Mwari ane tsitsi nengoni, munononoka kutsamwa, uye muri mukuru patsitsi nechokwadi.
  15381. Psa 86:16 Tendeukirai kwandiri, mugondinzwira tsitsi, ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye ponesai mwanakomana wemurandakadzi wenyu.
  15382. Psa 86:17 Ndiratidzei chiratidzo chezvakanaka, kuti vanondivenga vaone, uye vanyare, nokuti imwi Jehovha, makandibatsira nekundinyaradza.
  15383. Psa 87:0 Kuvanakomana vaKora. Pisarema, rwiyo.
  15384. Psa 87:1 Nheyo yake iri pamusoro pemakomo matsvene.
  15385. Psa 87:2 Jehovha anoda masuwo eZiyoni kupfuura nzvimbo dzose dzekugara dzaJakove.
  15386. Psa 87:3 Zvinhu zvinorumbidzwa zvinotaurwa pamusoro pako, guta raMwari! Sera.
  15387. Psa 87:4 Ndichataura Rahabhi neBhabhironi kune vanondiziva; tarirai, Firisitia, neTire, pamwe neItiyopiya, uyu wakazvarirwako.
  15388. Psa 87:5 Zvino pamusoro peZiyoni zvichanzi: Murume uyu neuyo vakazvarirwa mariri; uye Wekumusoro-soro amene acharisimbisa.
  15389. Psa 87:6 Jehovha achaverenga pakunyora kwake vanhu: Uyu wakazvarirwako. Sera.
  15390. Psa 87:7 Vaimbi pamwe nevatambi, matsime angu ose ari mauri.
  15391. Psa 88:0 Rwiyo. Pisarema, kuvanakomana vaKora; kumutungamiriri wekuimba; neMaharati-Reyanoti. Masikiri yaHemani muEzirahi.
  15392. Psa 88:1 Jehovha, Mwari weruponeso rwangu, ndakachema masikati neusiku pamberi penyu.
  15393. Psa 88:2 Munyengetero wangu ngauuye pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
  15394. Psa 88:3 Nokuti mweya weupenyu wangu uzere nematambudziko, neupenyu hwangu hwonanavira kuguva.
  15395. Psa 88:4 Ndinoverengwa pamwe nevanoburukira kugomba; ndakaita semurume asina simba.
  15396. Psa 88:5 Ndakasunungurwa pakati pevakafa, sevakaurawa varere muguva, vamusati mucharangarira; nokuti ivo vakagurwa vakabviswa paruoko rwenyu.
  15397. Psa 88:6 Makandiisa mugomba repasi-pasi, panzvimbo dzine rima, muudziku ukuru.
  15398. Psa 88:7 Hasha dzenyu dzinorema pamusoro pangu; makarwadzisa nemafungu enyu ose. Sera.
  15399. Psa 88:8 Makabvisira vazikanwi vangu kure neni; makandiita chinyangadzo chikuru kwavari; ndavharirwa, uye handigoni kubuda.
  15400. Psa 88:9 Ziso rangu ropera nekuda kwekurwadziwa; Jehovha, ndakadana kwamuri nezuva rose; ndakatandavadzira maoko angu kwamuri.
  15401. Psa 88:10 Vakafa mungavaitira chishamiso here? Mweya yakafa ichamuka here ikakurumbidzai? Sera.
  15402. Psa 88:11 Rudo rweunyoro hwenyu rwungarondedzerwa muguva here? Nekutendeka kwenyu mukuparadza here?
  15403. Psa 88:12 Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here? Nekururama kwenyu panyika yekukanganwa here?
  15404. Psa 88:13 Asi ini, Jehovha, ndakachema kwamuri; uye mangwanani munyengetero wangu uchauya pamberi penyu.
  15405. Psa 88:14 Jehovha, munorasirei mweya weupenyu wangu? Munovanzirei chiso chenyu kwandiri?
  15406. Psa 88:15 Ndatambudzika uye ndiri anofa kubva paudiki; ndakatakura kutyisa kwenyu; ndinopererwa.
  15407. Psa 88:16 Hasha dzenyu dzinopisa dzakapfuura pamusoro pangu; kutyisa kukuru kwenyu kwakandipedza.
  15408. Psa 88:17 Zvakandikomberedza semvura zuva rose; zvakandipoteredza pamwe chete.
  15409. Psa 88:18 Mudiwa neshamwari makaisa kure neni; vazikanwi vangu vari murima.
  15410. Psa 89:0 Masikiri yaEtani muEzirahi.
  15411. Psa 89:1 Ndichaimbira tsitsi dzaJehovha nekusingaperi; nemuromo wangu ndichazivisa kutendeka kwenyu kuzera nezera.
  15412. Psa 89:2 Nokuti ndakati: Tsitsi dzichavakwa nekusingaperi; muchasimbisa kutendeka kwenyu mumatenga momene.
  15413. Psa 89:3 Ndakaita sungano nemusanangurwa wangu; ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi:
  15414. Psa 89:4 Ndichasimbisa mbeu yako kusvika rinhi narinhi, uye ndichavaka chigaro chako cheushe kusvika kuzera nezera. Sera.
  15415. Psa 89:5 Zvino matenga acharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; nekutendeka kwenyu paungano yevatsvene.
  15416. Psa 89:6 Nokuti ndiani muchadenga angaenzaniswa naJehovha? Ndiani akaita saJehovha pakati pevanakomana vevane simba?
  15417. Psa 89:7 Mwari anotyisa zvikuru paungano yevatsvene, uye anofanira kuremekedzwa pamusoro pevose vakamukomberedza.
  15418. Psa 89:8 Jehovha, Mwari wehondo, ndiani ane simba semwi, Jehovha? Uye kutendeka kwenyu kwakakukomberedzai.
  15419. Psa 89:9 Ndimwi mutongi pamusoro pekuzvikudza kwegungwa; panomuka mafungu aro, imwi munoanyaradza.
  15420. Psa 89:10 Imwi makaputsanya Rahabhi seuyo anourawa; makaparadzira vavengi venyu neruoko rwenyu rwune simba.
  15421. Psa 89:11 Matenga ndeenyu, nepasi ndepenyuwo; nyika nekuzara kwayo, imwi makazviteya.
  15422. Psa 89:12 Maodzanyemba nechamhembe, imwi makazvisika; Tabhori neHerimoni zvichafara muzita renyu.
  15423. Psa 89:13 Mune chanza chine simba; ruoko renyu rwakasimba; ruoko rwenyu rwerudyi rwakakwirira.
  15424. Psa 89:14 Kururama nemutongo inheyo yechigaro chenyu cheushe; tsitsi nechokwadi zvichafamba pamberi pechiso chenyu.
  15425. Psa 89:15 Vakaropafadzwa vanhu vanoziva mhururu; vachafamba muchiedza chechiso chenyu, Jehovha.
  15426. Psa 89:16 Muzita renyu vachafara zuva rose; uye mukururama kwenyu vanokwiridzirwa.
  15427. Psa 89:17 Nokuti imwi muri kubwinya kwesimba ravo; uye munyasha dzenyu runyanga rwedu ruchakwiridzirwa.
  15428. Psa 89:18 Nokuti nhovo yedu ndeyaJehovha; namambo wedu ndeweMutsvene waIsraeri.
  15429. Psa 89:19 Ipapo makataura muchiratidzo kumutsvene wenyu ndokuti: Ndakaisa rubatsiro pamusoro pewemasimba; ndakakwiridzira musanangurwa muvanhu.
  15430. Psa 89:20 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; nemafuta angu matsvene ndamuzodza.
  15431. Psa 89:21 Naye ruoko rwangu rwuchasimbiswa; chanza changuwo chichamusimbisa.
  15432. Psa 89:22 Muvengi haangamumanikidzi; nemwanakomana wekuipa haangamutambudzi.
  15433. Psa 89:23 Zvino ndichapwanya vavengi vake pamberi pechiso chake; uye ndicharova vanomuvenga.
  15434. Psa 89:24 Asi kutendeka kwangu netsitsi dzangu zvichava naye; uye muzita rangu runyanga rwake rwuchakwiridzirwa.
  15435. Psa 89:25 Zvino ndichaisa ruoko rwake mugungwa, neruoko rwake rwerudyi panzizi.
  15436. Psa 89:26 Iye achadana kwandiri achiti: Imwi muri baba vangu, Mwari wangu, nedombo reruponeso rwangu.
  15437. Psa 89:27 Ndichamugadzawo kuva dangwe, wakakwiririsa pamadzimambo enyika.
  15438. Psa 89:28 Ndichamuchengetera tsitsi dzangu nekusingaperi, nesungano yangu ichasimba kwaari.
  15439. Psa 89:29 Zvino ndichamisa mbeu yake kusvika rinhi narinhi, nechigaro chake cheushe semazuva ematenga.
  15440. Psa 89:30 Kana vana vake vakasiya murau wangu, uye vakasafamba mumitongo yangu,
  15441. Psa 89:31 kana vakasvibisa zvimiso zvangu, uye vakasachengeta mirau yangu,
  15442. Psa 89:32 ipapo ndichashanyira chitadzo chavo netsvimbo, nekuipa kwavo neshamhu zhinji.
  15443. Psa 89:33 Zvakadaro handingatongobvisi rudo rweunyoro hwangu kwaari, uye handinganyengeri mukutendeka kwangu.
  15444. Psa 89:34 Sungano yangu handingaguri, uye handishanduri chakabuda pamiromo yangu.
  15445. Psa 89:35 Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu: Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi.
  15446. Psa 89:36 Mbeu yake ichavapo kusvika rinhi narinhi, nechigaro chake cheushe sezuva pamberi pangu.
  15447. Psa 89:37 Chichasimbiswa semwedzi kusvika rinhi narinhi, uye uchapupu huri muchadenga hwakasimba. Sera.
  15448. Psa 89:38 Asi imwi makarasa nekuramba; makatsamwira muzodzwa wenyu.
  15449. Psa 89:39 Makashaisa maturo sungano yemuranda wenyu; makasvibisa korona yake panyika.
  15450. Psa 89:40 Makaputsa masvingo ake ose; makaita nhare dzake dongo.
  15451. Psa 89:41 Vanopamba vose vanopfuura nenzira; ndiye chiseko kuvavakidzani vake.
  15452. Psa 89:42 Makakwiridzira ruoko rwerudyi rwevadzivisi vake; makafadza vavengi vake vose.
  15453. Psa 89:43 Munodzosawo kwakapinza kwemunondo wake; uye hamuna kumumisa pahondo.
  15454. Psa 89:44 Makagumisa kubwinya kwake, nekukanda chigaro chake cheushe pavhu.
  15455. Psa 89:45 Makapfupisa mazuva eudiki hwake; makamufukidza nenyadzi. Sera.
  15456. Psa 89:46 Jehovha, kusvika rinhi, muchizvivanza nekusingaperi? Kutsamwa kwenyu kuchapfuta semoto here?
  15457. Psa 89:47 Rangarira kuti nguva yeupenyu hwangu yakadii. Makasikirei vana vevanhu vose pasina?
  15458. Psa 89:48 Ndiani munhu anorarama asingaoni rufu? Anganunura mweya weupenyu wake kubva muruoko rweguva here? Sera.
  15459. Psa 89:49 Rudo rweunyoro hwenyu hwekutanga huripi, Ishe, hwamakapika kuna Dhavhidhi nekutendeka kwenyu?
  15460. Psa 89:50 Rangarirai, Ishe, chiseko chevaranda venyu; ndakatakura pachipfuva changu zvishooro zvemarudzi ose mazhinji,
  15461. Psa 89:51 vavengi venyu zvavakashoora nazvo, Jehovha, zvaakashoora nazvo makwara emuzodzwa wenyu.
  15462. Psa 89:52 Jehovha ngaavongwe kusvika rinhi narinhi. Ameni, uye Ameni.
  15463. Psa 90:0 Munyengetero waMozisi, munhu waMwari.
  15464. Psa 90:1 Ishe, imwi maiva ugaro hwedu pazera nezera.
  15465. Psa 90:2 Makomo asati azvarwa, kana mabereka pasi nenyika, iko kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi, imwi muri Mwari.
  15466. Psa 90:3 Munodzosera munhu mukukuyiwa; ndokuti: Dzokai imwi vana vevanhu.
  15467. Psa 90:4 Nokuti makore churu pameso enyu akaita sezuva razuro kana rapfuura, hongu, murindiro pausiku.
  15468. Psa 90:5 Munovakukura; vava sehope; mangwanani vakaita seuswa hunotunga.
  15469. Psa 90:6 Mangwanani hunopenya, nekutunga; madekwani hunochekwa ndokusvava.
  15470. Psa 90:7 Nokuti tinopedzwa mukutsamwa kwenyu; uye nehasha dzenyu tinokanganiswa.
  15471. Psa 90:8 Makaisa zvitadzo zvedu pamberi penyu, zvakavanzika zvedu pachiedza chechiso chenyu.
  15472. Psa 90:9 Nokuti mazuva edu ose anopfuura mukutsamwa kwenyu; tinopedza makore edu sekutura befu.
  15473. Psa 90:10 Mazuva emakore edu, maari mune makore makumi manomwe, uye kana nekuda kwesimba makore makumi masere; zvakadaro kuzvikudza kwawo kutambudzika nenhamo; nokuti anokurumidza kugurwa, uye tinobhururuka ndokunyangarika.
  15474. Psa 90:11 Ndiani anoziva simba rekutsamwa kwenyu; uye zvichienderana nekutyisa kwenyu, dzakadaro hasha dzenyu.
  15475. Psa 90:12 Naizvozvo tidzidzisei kuverenga mazuva edu, kuti tiwane moyo weuchenjeri.
  15476. Psa 90:13 Dzokai, Jehovha! Kusvika rinhi? Uye nzwirai tsitsi varanda venyu.
  15477. Psa 90:14 Tigutsei mangwanani netsitsi dzenyu, kuti tifare, tifarisise nemazuva edu ose.
  15478. Psa 90:15 Tifadzei zvinoenderana nemazuva amakatitambudza, makore atakaona zvakaipa.
  15479. Psa 90:16 Basa renyu ngarionekwe kuvaranda venyu, nekubwinya kwenyu kuvana vavo.
  15480. Psa 90:17 Uye kunaka kwaIshe Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; uye simbisai basa remaoko edu kwatiri; hongu, basa remaoko edu murisimbise.
  15481. Psa 91:1 Uyo agere panzvimbo yakavanda yeWekumusoro-soro achagara pamumvuri weWemasimbaose.
  15482. Psa 91:2 Ndichati pamusoro paJehovha: Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, ndinovimba naye.
  15483. Psa 91:3 Nokuti iye achakununura kubva parudzingi rwemuteyi, kubva pahosha yekuparadza kukuru.
  15484. Psa 91:4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchavimba pasi pemapapiro ake; chokwadi chake inhovo huru nenhovo diki.
  15485. Psa 91:5 Haungatyi chinotyisa pausiku, museve unobhururuka masikati,
  15486. Psa 91:6 hosha inofamba murima, kuparadza kunoputsa masikati machena.
  15487. Psa 91:7 Kurutivi rwako kuchawa churu, negumi rezvuru paruoko rwako rwerudyi; hazvingaswederi kwauri.
  15488. Psa 91:8 Koga unotarisa nemeso ako; ndokuona kutsiviwa kwevakaipa.
  15489. Psa 91:9 Nokuti imwi Jehovha muri utiziro hwangu! Wakaita Wekumusoro-soro ave nzvimbo yako yekugara.
  15490. Psa 91:10 Hapana chakaipa chingakuwira, uye dambudziko ripi neripi haringaswederi patende rako.
  15491. Psa 91:11 Nokuti acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kukuchengetedza panzira dzako dzose.
  15492. Psa 91:12 Vachakusimudza pamaoko, zvimwe urovere rutsoka rwako pabwe.
  15493. Psa 91:13 Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; mwana weshumba nebukanana uchatsikira pasi.
  15494. Psa 91:14 Nokuti wakandida zvikuru, naizvozvo ndichamununura. Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.
  15495. Psa 91:15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndinaye padambudziko; ndichamununura, uye ndichamukudza.
  15496. Psa 91:16 Ndichamugutsa nekureba kwemazuva, uye ndichamutaridza ruponeso rwangu.
  15497. Psa 92:0 Pisarema, rwiyo rwezuva resabata.
  15498. Psa 92:1 Zvakanaka kuvonga Jehovha, nekuimbira zita renyu rumbidzo, imwi Wekumusoro-soro.
  15499. Psa 92:2 Kuparidza rudo rweunyoro hwenyu mangwanani, nekutendeka kwenyu usiku hwose.
  15500. Psa 92:3 Pachiridzwa chehungiso gumi, nepamutengeranwa, nembira inorira zvakanaka.
  15501. Psa 92:4 Nokuti imwi Jehovha, makandifadza nebasa renyu; ndichaimba maererano nemabasa emaoko enyu.
  15502. Psa 92:5 Jehovha, akakura sei mabasa enyu! Ndangariro dzenyu dzakadzika kwazvo.
  15503. Psa 92:6 Chituta hachizivi; nebenzi harinzwisisi izvi.
  15504. Psa 92:7 Kana vakaipa vachimera seuswa, uye vaiti vose vezvakaipa vachitunga; kuti vaparadzwe nekusingaperi.
  15505. Psa 92:8 Asi imwi Jehovha makakwirira kusvika rinhi narinhi.
  15506. Psa 92:9 Nokuti tarirai, vavengi venyu, Jehovha, nokuti tarirai, vavengi venyu vachaparara; vose vaiti vezvakaipa vachaparadzirwa.
  15507. Psa 92:10 Asi muchasimudza runyanga rwangu serwenyati; ndakazodzwa nemafuta matsva.
  15508. Psa 92:11 Ziso ranguwo richaona chishuwo changu pavavengi vangu, nzeve dzangu dzichanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa vakandimukira.
  15509. Psa 92:12 Wakarurama achatunga semuchindwe; achakura semusidhari paRebhanoni.
  15510. Psa 92:13 Vakasimwa mumba maJehovha, vachatunga muvazhe dzaMwari wedu.
  15511. Psa 92:14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura; vachava vakakora nevatsva;
  15512. Psa 92:15 kuparidza kuti Jehovha wakarurama; idombo rangu, uye hakuna kusarurama kwaari.
  15513. Psa 93:1 Jehovha anotonga; wakapfekedzwa umambo; Jehovha wakapfekedzwa simba; wakazvisunga chiuno. Nenyika yakasimbiswa; haingazungunuswi.
  15514. Psa 93:2 Chigaro chenyu cheushe chakasimbiswa kare; imwi muripo kubva pakusingaperi.
  15515. Psa 93:3 Nzizi dzakasimudza, Jehovha; nzizi dzakasimudza inzwi radzo; nzizi dzakasimudza kutinhira kwadzo.
  15516. Psa 93:4 Jehovha wakakwirira ane simba kupfuura kutinhira kwemvura zhinji, nemafungu ane simba egungwa.
  15517. Psa 93:5 Zvipupuriro zvenyu ndezvechokwadi kwazvo; utsvene hwakafanira imba yenyu, Jehovha, kusvika pakureba kwemazuva.
  15518. Psa 94:1 Mwari wetsivo zhinji, Jehovha, Mwari wetsivo zhinji, penyai.
  15519. Psa 94:2 Simukirai, Mutongi wenyika; tsivai mubairo kune vanozvikudza.
  15520. Psa 94:3 Kusvika rinhi vakaipa, Jehovha, kusvika rinhi vakaipa vachipembera?
  15521. Psa 94:4 Vanodurura mashoko, vanotaura vakasimba, vose vaiti vezvakaipa vachizvikudza.
  15522. Psa 94:5 Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, nekutambudza nhaka yenyu.
  15523. Psa 94:6 Vanouraya chirikadzi nemutorwa, nenherera vanodziponda.
  15524. Psa 94:7 Zvakadaro vanoti: Jehovha haaoni, naMwari waJakove haazvicherekedzi.
  15525. Psa 94:8 Nzwisisai imwi matununu pakati pevanhu; nemwi mapenzi, muchachenjera rinhi?
  15526. Psa 94:9 Iye wakasima nzeve haanzwi here? Iye wakaumba ziso haaoni here?
  15527. Psa 94:10 Iye anoraira vahedheni haarangi here? Iye anodzidzisa munhu ruzivo haazivi here?
  15528. Psa 94:11 Jehovha anoziva ndangariro dzemunhu, kuti hadzina maturo.
  15529. Psa 94:12 Wakaropafadzwa murume wamunoranga, Jehovha, nekumudzidzisa kubva mumurau wenyu.
  15530. Psa 94:13 Kumuzorodza pamazuva ezvakaipa, kusvika kwachererwa wakaipa gomba.
  15531. Psa 94:14 Nokuti Jehovha haangarasi vanhu vake; nenhaka yake haasii.
  15532. Psa 94:15 Nokuti mutongo uchadzokera kukururama; nevose vakarurama pamoyo vachautevera.
  15533. Psa 94:16 Ndiani achandisimukira kurwisa vaiti vezvakaipa? Ndiani achandimirira kurwisa vabati vezvakaipa?
  15534. Psa 94:17 Dai Jehovha aisava rubatsiro rwangu, mweya weupenyu wangu ungadai nepadiki wakagara pakuti zii.
  15535. Psa 94:18 Pandakati: Rutsoka rwangu rwotedzemuka: Tsitsi dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira.
  15536. Psa 94:19 Muuwandu hwendangariro dzangu mukati mangu nyaradzo dzenyu dzakafadza mweya weupenyu wangu.
  15537. Psa 94:20 Chigaro cheushe chezvakaipa chingadyidzana nemwi here, chinoumba dambudziko nemurau here?
  15538. Psa 94:21 Vanounganira kurwisa mweya weupenyu wewakarurama, nekupa mhosva ropa risina mhosva.
  15539. Psa 94:22 Asi Jehovha inhare yangu; naMwari wangu idombo reutiziro hwangu.
  15540. Psa 94:23 Zvino achadzosera pamusoro pavo chitadzo chavo. Uye avapedze pakuipa kwavo. Jehovha Mwari wedu achavapedza.
  15541. Psa 95:1 Uyai, tiimbire Jehovha; tipururudzire dombo reruponeso rwedu.
  15542. Psa 95:2 Ngatiuye pamberi pake nekuvonga, timupururudzire nemapisarema.
  15543. Psa 95:3 Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, naMambo mukuru pamusoro pevamwari vose.
  15544. Psa 95:4 Muruoko rwaiye mune nzvimbo dzepanyika dzakadzika, nenhongonya dzemakomo ndedzake.
  15545. Psa 95:5 Uyo gungwa riri rake, nokuti ndiye wakariita; uye maoko ake akaumba panyika pakaoma.
  15546. Psa 95:6 Uyai, tinamate tikotamire pasi; ngatifugame pamberi paJehovha muiti wedu.
  15547. Psa 95:7 Nokuti iye ndiMwari wedu, nesu tiri vanhu vemafuro ake nemakwai eruoko rwake.
  15548. Psa 95:8 musaomesa moyo yenyu sepakupikisana, sezuva remuedzo murenje.
  15549. Psa 95:9 Madzibaba enyu paakandiedza vachindiidza, hongu vakaona basa rangu.
  15550. Psa 95:10 Makore makumi mana ndakasemeswa nezera iro, kusvika ndati: Ivo vanhu vanotsauka mumoyo; uye ivo havazivi nzira dzangu.
  15551. Psa 95:11 Naizvozvo vandakapikira pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu.
  15552. Psa 96:1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, pasi pose.
  15553. Psa 96:2 Imbirai Jehovha; rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake kubva pazuva kusvika pazuva.
  15554. Psa 96:3 Rondedzerai kubwinya kwake pakati pevahedheni, zvishamiso zvake pakati pevanhu vose.
  15555. Psa 96:4 Nokuti Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; iye anotyisa pamusoro pavamwari vose.
  15556. Psa 96:5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo; asi Jehovha wakaita matenga.
  15557. Psa 96:6 Rukudzo nekubwinya zviri pamberi pake; simba nekunaka zviri muimba yake tsvene.
  15558. Psa 96:7 Ipai kuna Jehovha, imwi mazera emarudzi, ipai kuna Jehovha rumbidzo nesimba.
  15559. Psa 96:8 Ipai kuna Jehovha rumbidzo yezita rake; unzai chipo, mupinde pavazhe dzake.
  15560. Psa 96:9 Namatai Jehovha mukunaka kweutsvene; mudedere pamberi pake, pasi pose.
  15561. Psa 96:10 Itiyi pakati pevahedheni: Jehovha anotonga; nenyika ichasimbiswa, isazungunuswa; achatonga vanhu mukururama kukuru.
  15562. Psa 96:11 Matenga ngaafare, nenyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire nekuzara kwaro.
  15563. Psa 96:12 Sango ngarifare, nezvose zviri mariri; ipapo miti yose yedondo ichaimba nemufaro.
  15564. Psa 96:13 Pamberi paJehovha, nokuti anouya, nokuti anouya kuzotonga pasi; achatonga nyika nekururama, nevanhu nekutendeka kwake.
  15565. Psa 97:1 Jehovha anotonga; nyika ngaifare; zviwi zvizhinji ngazvipembere.
  15566. Psa 97:2 Makore nerima zvinomukomberedza; kururama nemutongo ugaro hwechigaro chake cheushe.
  15567. Psa 97:3 Moto unotungamira pamberi pake, uye unopisa vavengi vake mativi ose.
  15568. Psa 97:4 Mheni dzake dzakavheneka nyika; pasi pakaona ndokudedera.
  15569. Psa 97:5 Makomo akanyunguduka senamo pamberi paJehovha, pamberi paShe wepasi pose.
  15570. Psa 97:6 Matenga anodudzira kururama kwake; nevanhu vose vanoona kubwinya kwake.
  15571. Psa 97:7 Vanonyara vose vanoshumira mifananidzo yakavezwa, vanozvikudza nezvimwari; mushumirei imwi mose vamwari.
  15572. Psa 97:8 Ziyoni rakanzwa ndokufara, nevakunda vaJudha vakapembera, nekuda kwemitongo yenyu, Jehovha.
  15573. Psa 97:9 Nokuti imwi Jehovha, makakwirira pamusoro penyika yose; makakwiridzwa kwazvo pamusoro pevamwari vose.
  15574. Psa 97:10 Imwi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa; anochengetedza mweya yeupenyu yevatsvene vake; avanunure muruoko rwevakaipa.
  15575. Psa 97:11 Chiedza chinodzvarirwa wakarurama, nemufaro vane moyo yakarurama.
  15576. Psa 97:12 Farai muna Jehovha, imwi vakarurama, uye vongai pakurangarira utsvene hwake.
  15577. Psa 98:0 Pisarema.
  15578. Psa 98:1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; nokuti wakaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rwerudyi, nechanza chake chitsvene, zvakamuwanira kukunda.
  15579. Psa 98:2 Jehovha wakazivisa ruponeso rwake; wakazarura pachena kururama kwake pameso pevahedheni.
  15580. Psa 98:3 Wakarangarira tsitsi dzake nekutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
  15581. Psa 98:4 Pururudzirai Jehovha, imwi pasi pose; mudanidzire zvikuru, mufare, muimbe rumbidzo.
  15582. Psa 98:5 Imbirai Jehovha nembira, nembira uye nenzwi rekuimba,
  15583. Psa 98:6 nehwamanda zhinji, neinzwi renyanga yegondohwe; pururudzai pamberi paMambo Jehovha.
  15584. Psa 98:7 Gungwa ngariombe nekuzara kwaro, nyika nevagere mairi.
  15585. Psa 98:8 Nzizi ngadziombere maoko, makomo ngaaimbe pamwe nemufaro.
  15586. Psa 98:9 Pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga pasi; achatonga nyika zvakarurama, nemarudzi nekururama kukuru.
  15587. Psa 99:1 Jehovha anotonga; vanhu ngavadedere; mugari wepamakerubhi; nyika ngaizununguke.
  15588. Psa 99:2 Jehovha mukuru muZiyoni; uye wakakwirira pamusoro pevanhu vose.
  15589. Psa 99:3 Ngavarumbidze zita renyu guru uye rinotyisa; iye mutsvene.
  15590. Psa 99:4 Simba ramambo rinodawo mutongo; imwi munosimbisa kururama kukuru; imwi munoita mutongo nekururama muna Jakove.
  15591. Psa 99:5 Kwiridzirai Jehovha Mwari wedu, uye namatai pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.
  15592. Psa 99:6 Mozisi naAroni pakati pevapristi vake, naSamueri pakati pevanodana zita rake; vakadana kuna Jehovha, iye ndokuvapindura.
  15593. Psa 99:7 Wakataura navo mukati meshongwe yegore; vakachengeta zvipupuriro zvake nemurairo waakavapa.
  15594. Psa 99:8 Jehovha Mwari wedu, imwi makavapindura; maiva Mwari waivakanganwira, kunyange muchitsiva pazviito zvavo.
  15595. Psa 99:9 Kwiridzirai Jehovha Mwari wedu, uye namatai pagomo rake dzvene; nokuti Jehovha Mwari wedu mutsvene.
  15596. Psa 100:0 Pisarema rekurumbidza.
  15597. Psa 100:1 Pururudzai kuna Jehovha, imwi nyika yose.
  15598. Psa 100:2 Shumirai Jehovha nemufaro; uyai pamberi pake nekuimba nemufaro.
  15599. Psa 100:3 Zivai kuti Jehovha ndiMwari; iye wakatiita, uye hatisi isu, tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.
  15600. Psa 100:4 Pindai pamasuwo ake muchivonga, pavazhe dzake nekurumbidza; muvongei, rumbidzai zita rake.
  15601. Psa 100:5 Nokuti Jehovha wakanaka; tsitsi dzake dziripo nekusingaperi, nekutendeka kwake kuzera nezera.
  15602. Psa 101:0 Pisarema raDhavhidhi.
  15603. Psa 101:1 Ndichaimba zvetsitsi nemutongo; ndichakuimbirai rumbidzo, Jehovha.
  15604. Psa 101:2 Ndichazvibata neuchenjeri nenzira yakarurama. Muchauya rinhi kwandiri? Ndichafamba muuchokwadi hwemoyo wangu mukati meimba yangu.
  15605. Psa 101:3 Handingaisi pamberi pemeso angu chinhu chakaipa; ndinovenga kuita kwevanotsauka; hazvingandinamatiri.
  15606. Psa 101:4 Moyo wakatsauka uchabva kwandiri; handingazivi wakaipa.
  15607. Psa 101:5 Anonyeya muvakidzani wake pakavanda, iye ndinogura; wemeso akakwirira nemoyo unozvikudza, iye handingamutenderi.
  15608. Psa 101:6 Meso angu achava pamusoro pevakatendeka vepanyika, kuti vagare neni; uyo anofamba nenzira yakarurama, iye achandishumira.
  15609. Psa 101:7 Anoita unyengeri haangagari mukati meimba yangu; anotaura nhema zhinji haangasimbiswi pamberi pemeso angu.
  15610. Psa 101:8 Mazuva ose mangwanani ndichaparadza vakaipa vose vepanyika, kugura kubva paguta raJehovha vose vaiti vezvakaipa.
  15611. Psa 102:0 Munyengetero weanotambudzika kana achikundikana achidurura chichemo chake pamberi paJehovha.
  15612. Psa 102:1 Jehovha, inzwai munyengetero wangu; uye kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
  15613. Psa 102:2 Regai kundivanzira chiso chenyu; pazuva randiri mudambudziko rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pazuva randinodana kurumidzai kundipindura.
  15614. Psa 102:3 Nokuti mazuva angu anopera seutsi; uye mapfupa angu anotsva sevira remoto.
  15615. Psa 102:4 Moyo wangu warohwa uye waoma seuswa, zvekuti ndakakanganwa kudya chingwa changu.
  15616. Psa 102:5 Nekuda kwenzwi rekugomera kwangu mapfupa angu anonamatira panyama yangu.
  15617. Psa 102:6 Ndafanana nekondo yemurenje; ndakava sezizi remumatongo.
  15618. Psa 102:7 Ndinorinda, uye ndava seshiri igere yoga padenga reimba.
  15619. Psa 102:8 Vavengi vangu vanondituka zuva rose; avo vanondipengera vanondipikira.
  15620. Psa 102:9 Nokuti ndakadya madota sechingwa, uye ndikavhenganisa zvinwiwa zvangu nemisodzi,
  15621. Psa 102:10 nekuda kwehasha dzenyu nekutsamwa kwenyu; nokuti makandisimudzira mukandirasa pasi.
  15622. Psa 102:11 Mazuva angu akaita semumvuri unoreba; uye ini ndinooma seuswa.
  15623. Psa 102:12 Asi imwi, Jehovha, muchagara nekusingaperi, nechirangaridzo chenyu kusvika kuzera nezera.
  15624. Psa 102:13 Imwi muchamuka munzwire Ziyoni tsitsi; nokuti nguva yekurinzwira tsitsi, nokuti nguva yakatarwa yasvika.
  15625. Psa 102:14 Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, vanonzwira tsitsi guruva raro.
  15626. Psa 102:15 Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, nemadzimambo ose epasi kubwinya kwenyu.
  15627. Psa 102:16 Jehovha paachavaka Ziyoni, achaonekwa mukubwinya kwake,
  15628. Psa 102:17 achatendeukira kumunyengetero weasina chinhu, uye haangazvidzi munyengetero wavo.
  15629. Psa 102:18 Izvi zvichanyorerwa zera richatevera; uye vanhu vachazosikwa vacharumbidza Jehovha.
  15630. Psa 102:19 Nokuti wakatarira pasi ari pakakwirira penzvimbo yake tsvene; Jehovha ari kumatenga wakatarisisa panyika;
  15631. Psa 102:20 kunzwa kugomera kwemusungwa; kusunungura vakatemerwa rufu;
  15632. Psa 102:21 kurondedzera zita raJehovha muZiyoni, nerumbidzo yake muJerusarema;
  15633. Psa 102:22 marudzi paanenge akaungana pamwe, neumambo uzhinji, kushumira Jehovha.
  15634. Psa 102:23 Wakapodza simba rangu panzira; wakapfupisa mazuva angu.
  15635. Psa 102:24 Ndakati: Mwari wangu, regai kundibvisa mukati memazuva angu; makore enyu muzera nemumazera.
  15636. Psa 102:25 Kare makateya nyika; nematenga ibasa remaoko enyu.
  15637. Psa 102:26 Zvichaparara izvo, asi imwi muchagara; uye zvose zvichasakara senguvo; sechipfeko muchazvishandura, uye zvichashandurwa.
  15638. Psa 102:27 Asi imwi muri imwi, nemakore enyu haana mugumo.
  15639. Psa 102:28 Vana vevaranda venyu vanogara; nembeu yavo ichasimbiswa pamberi penyu.
  15640. Psa 103:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  15641. Psa 103:1 Rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu; nezvose zviri mukati mangu [zvirumbidze] zita rake dzvene.
  15642. Psa 103:2 Rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu, usakanganwa mibairo yake yose.
  15643. Psa 103:3 Anokanganwira zvitadzo zvako zvese; anoporesa zvirwere zvako zvose.
  15644. Psa 103:4 Anodzikinura upenyu hwako kubva pakuparadzwa; anokushongedza korona yengoni netsitsi zhinji.
  15645. Psa 103:5 Anogutisa muromo wako nezvakanaka; kuti udiki hwako huvandudzwe segondo.
  15646. Psa 103:6 Jehovha anoitira vose vanomanikidzwa kururama kukuru nemitongo.
  15647. Psa 103:7 Akazivisa Mozisi nzira dzake, nevana vaIsraeri zviito zvake.
  15648. Psa 103:8 Jehovha ane tsitsi uye ane nyasha, anononoka kutsamwa, uye akazara nekunaka.
  15649. Psa 103:9 Haangarambi achipikisa; haangachengeti kutsamwa kusvika rinhi narinhi.
  15650. Psa 103:10 Haana kutibata zvinoenderana nezvivi zvedu, uye haana kutitsiva zvinoenderana nezvitadzo zvedu.
  15651. Psa 103:11 Nokuti sekukwirira kwematenga pamusoro penyika, dzakasimba tsitsi dzake kune vanomutya.
  15652. Psa 103:12 Sekuva kure kwemabvazuva nemavirira, wakabvisira kure nesu zvitadzo zvedu.
  15653. Psa 103:13 Sababa vachinzwira tsitsi vana, Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
  15654. Psa 103:14 Nokuti iye anoziva kuumbwa kwedu, anorangarira kuti tiri guruva.
  15655. Psa 103:15 Munhu, mazuva ake akaita seuswa; seruva resango, saizvozvo anobarika.
  15656. Psa 103:16 Nokuti mhepo inopfuura pamusoro paro, zvino harichipo; nenzvimbo yaro haicharizivi.
  15657. Psa 103:17 Asi tsitsi dzaJehovha dzinobva pakusingaperi kusvika pakusingaperi pamusoro pevanomutya, nekururama kwake kusvika kuvana vevana,
  15658. Psa 103:18 kune vanochengeta sungano yake, nekune vanorangarira mirau yake kuiita.
  15659. Psa 103:19 Jehovha wakasimbisa chigaro chake cheushe kumatenga; neumambo hwake hunotonga pamusoro pezvose.
  15660. Psa 103:20 Rumbidzai Jehovha, imwi vatumwa vake, mhare dzine simba, munoita shoko rake, kuteerera inzwi reshoko rake.
  15661. Psa 103:21 Rumbidzai Jehovha, hondo dzake dzose, vashumiri vake, vanoita chido chake.
  15662. Psa 103:22 Rumbidzai Jehovha, imwi mabasa ake ose, panzvimbo dzose dzeumambo hwake; rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu!
  15663. Psa 104:1 Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makapfeka rukudzo neumambo.
  15664. Psa 104:2 Munozvifukidza nechiedza sechipfeko; munotatamura matenga seketeni.
  15665. Psa 104:3 Ndiye anoteya matanda edzimba dzake dzepamusoro mumvura zhinji; anoita makore ave ngoro yake; anofamba pamusoro pemapapiro emhepo.
  15666. Psa 104:4 Anoita vatumwa vake vave mweya, vashandiri vake vave moto unopfuta.
  15667. Psa 104:5 Wakateya nyika pamusoro penheyo dzayo; haingazungunuswi rinhi narinhi.
  15668. Psa 104:6 Makaifukidza neudziku sechipfeko; mvura zhinji yakamira pamusoro pemakomo.
  15669. Psa 104:7 Pakutsiura kwenyu yakatiza; painzwi rekutinhira kwenyu ichakurumidza kubva.
  15670. Psa 104:8 Inokwira makomo, inoburuka mipata, kuenda kunzvimbo yamakaiteyera.
  15671. Psa 104:9 Makatara muganhu asaudarika; haingadzoki kufukidza nyika.
  15672. Psa 104:10 Anotuma zvitubu kuenda mumipata; zvinofamba pakati pemakomo.
  15673. Psa 104:11 Zvinonwisa mhuka dzose dzesango; mbongoro dzesango dzinodzima nyota yadzo.
  15674. Psa 104:12 Shiri dzematenga dzinogara pazviri, dzinopa inzwi dziri pakati pematavi.
  15675. Psa 104:13 Anodiridza makomo ari pamakamuri ake epamusoro; pazvibereko zvemabasa enyu nyika inogutiswa.
  15676. Psa 104:14 Anomeresa uswa hwezvipfuwo, nemiriwo yekubatsira vanhu, kubudisa zvekudya kubva panyika,
  15677. Psa 104:15 newaini inofadza moyo wemunhu, kubwinyisa chiso nemafuta, nechingwa chinotsigira moyo wemunhu.
  15678. Psa 104:16 Miti yaJehovha inoguta, misidhari yeRebhanoni yaakasima.
  15679. Psa 104:17 Shiri padzinogadzira matendere; zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro.
  15680. Psa 104:18 Makomo akakwirira ndeembudzi dzedondo; mabwe utiziro hwembira.
  15681. Psa 104:19 Wakaita mwedzi uve nguva dzakamiswa; zuva rinoziva kuvira kwaro.
  15682. Psa 104:20 Munoita rima, ndokuva usiku, hunofamba-famba nahwo mhuka imwe neimwe yesango.
  15683. Psa 104:21 Vana veshumba vanoombera zvinojimbiwa, nekutsvaka zvekudya zvadzo kuna Mwari.
  15684. Psa 104:22 Zuva richibuda, dzinoungana, uye dzinorara mumagara adzo.
  15685. Psa 104:23 Munhu anobudira kubasa rake, nekumushando wake kusvika madekwani.
  15686. Psa 104:24 Akawanda sei mabasa enyu, Jehovha! Ose awo makaaita muuchenjeri! Nyika yakazara nefuma yenyu.
  15687. Psa 104:25 Gungwa iri iguru uye rakapamhamha, mariri mune zvinokambaira zvisingaverengeki, zvipenyu zvidiki pamwe nezvikuru.
  15688. Psa 104:26 Ipo panofamba zvikepe, revhiyatani yamakaumbira kutamba mariri.
  15689. Psa 104:27 Izvi zvose zvinokumirirai, kuti mupe zvekudya zvazvo nenguva yazvo.
  15690. Psa 104:28 Munozvipa, zvinounganidza; munozarura ruoko rwenyu, zvigutswe nezvakanaka.
  15691. Psa 104:29 Munovanza chiso chenyu, zvinovhiringidzika; munobvisa mweya wazvo, zvinofa, uye kuvhu razvo zvinodzokera.
  15692. Psa 104:30 Munotuma mweya wenyu, zvigosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.
  15693. Psa 104:31 Kubwinya kwaJehovha kuriko kusvika rinhi narinhi; Jehovha ngaafarire mabasa ake.
  15694. Psa 104:32 Anotarisa panyika, iyo ndokudedera; anobata makomo, iwo ndokupfungaira.
  15695. Psa 104:33 Ndichaimbira Jehovha kana ndichingova mupenyu; ndichaimba rumbidzo kuna Mwari wangu kana ndichiripo.
  15696. Psa 104:34 Kuzvidya moyo kwangu nezvake kuchatapira; ini ndichafara muna Jehovha.
  15697. Psa 104:35 Vatadzi ngavaparadzwe kubva panyika; nevakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.
  15698. Psa 105:1 Vongai Jehovha; mudane zita rake; zivisai zviito zvake pakati pemarudzi.
  15699. Psa 105:2 Muimbirei; mumuimbire rumbidzo; mutaure zvezviito zvake zvose zvinoshamisa.
  15700. Psa 105:3 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yevanotsvaka Jehovha ngaifare.
  15701. Psa 105:4 Tsvakai Jehovha uye simba rake; rondai chiso chake rinhi narinhi.
  15702. Psa 105:5 Rangarirai mabasa ake anoshamisa aakaita, zvishamiso zvake, nemitongo yemuromo wake;
  15703. Psa 105:6 imwi mbeu yaAbhurahama muranda wake, imwi vana vaJakove, vasanangurwa vake.
  15704. Psa 105:7 Iye ndiJehovha Mwari wedu; mitongo yake iri panyika yose.
  15705. Psa 105:8 Wakarangarira sungano yake nekusingaperi, shoko raakaraira kumarudzi ane churu,
  15706. Psa 105:9 yaakaita naAbhurahama, nemhiko yake kuna Isaka,
  15707. Psa 105:10 akazvisimbisa kuna Jakove kuva murau, kuna Israeri, sungano isingaperi;
  15708. Psa 105:11 achiti: Ndichapa kwauri nyika yeKenani, mugove wenhaka yenyu.
  15709. Psa 105:12 Pavaiva vashoma pauwandu, hongu vari vashoma, uye vari vatorwa mairi.
  15710. Psa 105:13 Zvino vakambeya kubva parudzi kuenda parudzi, kubva kuushe kuenda kune vamwe vanhu.
  15711. Psa 105:14 Haana kutendera munhu kuvamanikidza; uye wakatsiura madzimambo nekuda kwavo;
  15712. Psa 105:15 achiti: Musabata vazodzwa vangu, uye musatadzira vaporofita vangu.
  15713. Psa 105:16 Wakadana nzara pamusoro penyika; akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
  15714. Psa 105:17 Wakatuma murume pamberi pavo; Josefa wakatengeswa kuva muranda.
  15715. Psa 105:18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo; mweya weupenyu wake wakasvika mumatare.
  15716. Psa 105:19 Kusvika panguva yekusvika kweshoko rake, inzwi raJehovha rakamuedza.
  15717. Psa 105:20 Mambo wakatuma ndokumusunungura; mutongi wevanhu ndokumusudzunura.
  15718. Psa 105:21 Wakamuita ishe weimba yake, nemutongi wefuma yake yose,
  15719. Psa 105:22 kusunga machinda ake pachido chake, nekudzidzisa vakuru vake uchenjeri.
  15720. Psa 105:23 Israeri wakasvikawo muEgipita, naJakove wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
  15721. Psa 105:24 Zvino wakawanza vanhu vake kwazvo, nekuvaita vasimbe kupfuura vavengi vavo.
  15722. Psa 105:25 Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, kuti vabate varanda vake neunyengeri.
  15723. Psa 105:26 Wakatuma Mozisi muranda wake, Aroni waaiva asarudza.
  15724. Psa 105:27 Vakaisa pakati pavo nyaya dzezviratidzo zvake, nezvishamiso panyika yaHamu.
  15725. Psa 105:28 Wakatuma rima, akaita rive rima; uye havana kumukira shoko rake.
  15726. Psa 105:29 Wakashandura mvura yavo kuva ropa, ndokuuraya hove dzavo.
  15727. Psa 105:30 Nyika yavo yakafararira nematacha, mumakamuri emadzimambo avo.
  15728. Psa 105:31 Wakataura, zvino kukauya mapupira enhunzi, inda pamiganhu yavo yose.
  15729. Psa 105:32 Wakapa mvura yavo chimvuramabwe, moto wemavira munyika yavo.
  15730. Psa 105:33 Wakarovawo muzambiringa wavo nemuonde wavo; ndokuvhuna miti yemuganhu wavo.
  15731. Psa 105:34 Wakataura, mhashu ndokuuya negwatakwata, dzisingaverengeki;
  15732. Psa 105:35 ndokudya miriwo yose munyika yavo, nekudya zvibereko zvevhu ravo.
  15733. Psa 105:36 Wakarovawo dangwe rimwe nerimwe munyika yavo, chibereko chekutanga chesimba ravo rose.
  15734. Psa 105:37 Zvino wakavabudisa vane sirivha negoridhe; uye kwaiva kusina wakatatarika pakati pemarudzi avo.
  15735. Psa 105:38 Egipita yakafara pakubuda kwavo, nokuti kuvatya kwaiva kwawira pamusoro pavo.
  15736. Psa 105:39 Wakatatamura gore kuva chifukidzo, nemoto kuvhenekera usiku.
  15737. Psa 105:40 Vakakumbira, akauisa zvihuta, ndokuvagutisa nechingwa chekudenga.
  15738. Psa 105:41 Wakazarura dombo, mvura zhinji ndokudzutuka; ikafamba panzvimbo yakaoma, kuita rukova.
  15739. Psa 105:42 Nokuti wakarangarira chivimbiso chake chitsvene, muranda wake Abhurahama.
  15740. Psa 105:43 Zvino wakabudisa vanhu vake nemufaro, vasanangurwa vake nekuimba.
  15741. Psa 105:44 Ndokuvapa nyika dzevahedheni; zvino vakagara nhaka yebasa revanhu.
  15742. Psa 105:45 Kuti vacherekedze zvimiso zvake, uye vachengete mirau yake. Hareruya.
  15743. Psa 106:1 Hareruya. Vongai Jehovha nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dziripo nekusingaperi.
  15744. Psa 106:2 Ndiani angareva zviito zvine simba zvaJehovha, anzwise rumbidzo yake yose?
  15745. Psa 106:3 Vakaropafadzwa vanochengeta mutongo, uyo anoita kururama nenguva dzose.
  15746. Psa 106:4 Ndirangarirei, Jehovha, nekuda kwenyasha kuvanhu venyu; ndishanyirei neruponeso rwenyu.
  15747. Psa 106:5 Kuti ndione zvakanaka zvevasanangurwa venyu; kuti ndifare mumufaro werudzi rwenyu; kuti ndizvirumbidze pamwe nenhaka yenyu.
  15748. Psa 106:6 Takatadza pamwe nemadzibaba edu; takaita zvisina kururama; takaita zvakaipa.
  15749. Psa 106:7 Madzibaba edu paEgipita haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu; haana kurangarira kuwanda kwetsitsi dzenyu; asi vakamukira pagungwa, paGungwa Dzvuku.
  15750. Psa 106:8 Zvakadaro wakavaponesa nekuda kwezita rake, kuti azivise simba rake.
  15751. Psa 106:9 Wakatsiurawo Gungwa Dzvuku, ndokupwa; ndokuvafambisa nemuudziku semurenje.
  15752. Psa 106:10 Zvino wakavaponesa paruoko rwemuvengi, ndokuvadzikinura kubva muruoko rwemudzivisi.
  15753. Psa 106:11 Zvino mvura zhinji yakafukidza vavengi vavo; hakuna kusara umwe wavo.
  15754. Psa 106:12 Zvino vakatenda mashoko ake; vakaimba rumbidzo yake.
  15755. Psa 106:13 Vakakurumidza kukanganwa mabasa ake; havana kurindira zano rake.
  15756. Psa 106:14 Asi vakachiva zvekuchiva murenje, ndokuidza Mwari mugwenga.
  15757. Psa 106:15 Zvino wakavapa chikumbiro chavo, ndokutuma kuonda pamweya yeupenyu yavo.
  15758. Psa 106:16 Vakagodorawo Mozisi pamusasa, naAroni mutsvene waJehovha.
  15759. Psa 106:17 Pasi pakashama ndokumedza Dhatani, ndokufukidza boka raAbhirami.
  15760. Psa 106:18 Zvino moto wakapfuta pakati peboka ravo; murazvo ukapisa vakaipa.
  15761. Psa 106:19 Vakaita mhuru paHorebhu, ndokushumira chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa.
  15762. Psa 106:20 Ndokushandura kubwinya kwavo kuva mufananidzo wenzombe inodya uswa.
  15763. Psa 106:21 Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, wakaita zvinhu zvikuru paEgipita,
  15764. Psa 106:22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu, zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.
  15765. Psa 106:23 Saka wakati achavaparadza, pasina kuti Mozisi musanangurwa wake wakamira pakupoya pamberi pake, kudzora hasha dzake kubva pakuparadza.
  15766. Psa 106:24 Hongu, vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda shoko rake.
  15767. Psa 106:25 Asi vakanyunyuta mumatende avo; vakasateerera kuinzwi raJehovha.
  15768. Psa 106:26 Naizvozvo wakavasimudzira ruoko rwake, kuvawisira murenje;
  15769. Psa 106:27 kuwisirawo mbeu yavo pakati pemarudzi, nekuvaparadzira munyika zhinji.
  15770. Psa 106:28 Vakazvibatanidzawo kuna Bhaari-Peori, ndokudya zvibairo zvevakafa.
  15771. Psa 106:29 Naizvozvo vakamutsamwisa nezviito zvavo, uye dambudziko rakapazira pakati pavo.
  15772. Psa 106:30 Zvino kwakasimuka Pinehasi ndokuita mutongo, dambudziko ndokugumiswa.
  15773. Psa 106:31 Zvino zvakaverengerwa kwaari kuva kururama kusvika kuzera nezera kusvika rinhi narinhi.
  15774. Psa 106:32 Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yegakava, kusvika zvaipira Mozisi nekuda kwavo.
  15775. Psa 106:33 Nokuti vakamukira mweya wake, iye ndokutaura pasina kufungisisa nemiromo yake.
  15776. Psa 106:34 Havana kuparadza marudzi, Jehovha sezvaaiva areva kwavari;
  15777. Psa 106:35 asi vakavhengana nevahedheni, ndokudzidza mabasa avo.
  15778. Psa 106:36 Zvino vakashumira zvifananidzo zvavo, uye zvikava musungo kwavari.
  15779. Psa 106:37 Nevanakomana vavo nevanasikana vavo vakavabaira kumadhimoni.
  15780. Psa 106:38 Uye vakateura ropa risina mhosva, ropa revanakomana vavo nerevanasikana vavo, vakavabaira kuzvifananidzo zveKenani; nyika ndokusvibiswa neropa zhinji.
  15781. Psa 106:39 Saizvozvo vakasvibiswa nemabasa avo, ndokufeva nezviito zvavo.
  15782. Psa 106:40 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira vanhu vake, zvekuti wakasema nhaka yake.
  15783. Psa 106:41 Zvino wakavapa muruoko rwevahedheni; uye vaivavenga vakatonga pamusoro pavo.
  15784. Psa 106:42 Uye vavengi vavo vakavamanikidza, ndokudukupiswa pasi peruoko rwavo.
  15785. Psa 106:43 Kazhinji wakavanunura, asi ivo vakamumukira pazano ravo, vakaderedzwa nezvakaipa zvavo.
  15786. Psa 106:44 Zvakadaro wakaona kutambudzika kwavo, paakanzwa kuchema kwavo.
  15787. Psa 106:45 Zvino wakarangarira sungano yake nekuda kwavo, ndokuzvidemba zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake.
  15788. Psa 106:46 Wakavapawo tsitsi pamberi pevose vaiva vavatapa.
  15789. Psa 106:47 Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, uye tiunganidzei kubva pavahedheni, kupa kuvonga kuzita renyu dzvene, kuzvirumbidza murumbidzo yenyu.
  15790. Psa 106:48 Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, kubva pakusingaperi uye kusvika pakusingaperi. Uye vanhu vose ngavati: Ameni. Hareruya.
  15791. Psa 107:1 Vongai Jehovha, nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake [dzinogara] nekusingaperi.
  15792. Psa 107:2 Vakadzikunurwa vaJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwemuvengi;
  15793. Psa 107:3 ndokuvaunganidza kubva kunyika zhinji, kubva kumabvazuva, nekubva kumavirira, kubva kumaodzanyemba, nekubva kugungwa.
  15794. Psa 107:4 Vakambeya murenje munzira yegwenga; havana kuwana guta rekugara.
  15795. Psa 107:5 Vane nzara uye vane nyota; mweya weupenyu wavo wakaziya mukati mavo.
  15796. Psa 107:6 Ipapo vakachema kuna Jehovha padambudziko ravo; iye wakavanunura kubva panhamo dzavo.
  15797. Psa 107:7 Zvino wakavatungamirira nenzira yakarurama, kuti vaende kuguta reugaro.
  15798. Psa 107:8 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwetsitsi dzake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!
  15799. Psa 107:9 Nokuti anogutisa mweya weupenyu une madongo, nemweya une nzara anouzadza nezvakanaka.
  15800. Psa 107:10 Vagari vemurima nemumvuri werufu, vakasungwa mudambudziko nematare;
  15801. Psa 107:11 nokuti vakamukira mashoko aMwari, nekushora zano reWekumusoro-soro.
  15802. Psa 107:12 Naizvozvo wakaderedza moyo wavo nekutambudzika; vakagumburwa, uye kwaiva kusina mubatsiri.
  15803. Psa 107:13 Ipapo vakachema kuna Jehovha padambudziko ravo, akavaponesa kubva panhamo dzavo.
  15804. Psa 107:14 Wakavabudisa parima nepamumvuri werufu, akadambura zvisungo zvavo.
  15805. Psa 107:15 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwekunaka kwake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!
  15806. Psa 107:16 Nokuti wakavhuna masuwo endarira, nekuguranya mazariro ematare.
  15807. Psa 107:17 Mapenzi, nekuda kwenzira yezvitadzo zvawo uye nekuda kwezvivi zvawo, akatambudzwa.
  15808. Psa 107:18 Mweya weupenyu wavo unosema zvekudya zvose; uye vanoswedera pamasuwo erufu.
  15809. Psa 107:19 Ipapo vakachema kuna Jehovha padambudziko ravo; iye anovaponesa kubva panhamo dzavo.
  15810. Psa 107:20 Wakatuma shoko rake, ndokuvaporesa, nekuvanunura pahunza dzavo.
  15811. Psa 107:21 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwetsitsi dzake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!
  15812. Psa 107:22 Zvino ngavabaye zvibairo zvekuvonga, nekurondedzera zviito zvake nemufaro.
  15813. Psa 107:23 Avo vanoburukira kugungwa muzvikepe, vanoita ushambadzi mumvura zhinji kwazvo.
  15814. Psa 107:24 Ava vakaona mabasa aJehovha, nezvishamiso zvake muudziku.
  15815. Psa 107:25 Nokuti anotaura, ndokumutsa dutu remhepo, rinosimudza mafungu aro.
  15816. Psa 107:26 Vanosimukira kumatenga, vanoburukira muudziku ukuru, mweya weupenyu wavo unonyunguduka nenhamo.
  15817. Psa 107:27 Vanondeya-ndeya nekudzadzarika sechidhakwa, uye uchenjeri hwavo hwose hwunomedzwa.
  15818. Psa 107:28 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, iye ndokuvabudisa panhamo dzavo.
  15819. Psa 107:29 Anonyaradza dutu remhepo, nemafungu aro anonyarara.
  15820. Psa 107:30 Zvino vakafara nokuti aiva anyarara, naizvozvo wakavauisa pakadzikama pechishuwo chavo.
  15821. Psa 107:31 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwetsitsi dzake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!
  15822. Psa 107:32 Ngavamukudzewo paungano yevanhu; nepachigaro chevakuru ngavamurumbidze!
  15823. Psa 107:33 Wakaita nzizi dzive renje, nezvitubu zvemvura zvive ivhu rakaoma.
  15824. Psa 107:34 Nyika inobereka ive gwenga remunyu, nekuda kwezvakaipa zvevanogara mairi.
  15825. Psa 107:35 Anoita renje kuva dziva remvura, nenyika yakaoma ive zvitubu zvemvura.
  15826. Psa 107:36 Zvino anogarisa vane nzara ipapo, uye vanogadzira guta rekugara.
  15827. Psa 107:37 Uye vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, inoita zvibereko zvegoho.
  15828. Psa 107:38 Wakavaropafadzawo, zvekuti vakawanda kwazvo; uye haatapudzi zvipfuwo zvavo.
  15829. Psa 107:39 Vakatapudzikawo, vakaderedzwa nekumanikidzwa, zvakaipa, nekushungurudzika.
  15830. Psa 107:40 Anodurura kuzvidza pamusoro pemachinda, nekuvambeyesa murenje risina nzira.
  15831. Psa 107:41 Zvakadaro anogarisa pakakwirira murombo kubva pakutambudzika, aite mhuri dzive seboka remakwai.
  15832. Psa 107:42 Vakarurama vachaona ndokufara, neuipi hwose huchadzivira muromo wahwo.
  15833. Psa 107:43 Ani nani wakachenjera, achacherekedza zvinhu izvi; uye vachafunga tsitsi dzaJehovha.
  15834. Psa 108:0 Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.
  15835. Psa 108:1 Moyo wangu wakasimba, Mwari; ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimba rumbidzo, hongu rukudzo rwangu!
  15836. Psa 108:2 Muka iwe mutengeranwa nembira; ndichamuka mangwanani.
  15837. Psa 108:3 Ndichakuvongai pakati pemarudzi, Jehovha; uye ndichakuimbirai rumbidzo pakati pevahedheni.
  15838. Psa 108:4 Nokuti tsitsi dzenyu ihuru kumusoro kwematenga; nechokwadi chenyu chinosvika kumakore.
  15839. Psa 108:5 Kudzwai, kumusoro kwematenga, Mwari, nekubwinya kwenyu pamusoro penyika yose.
  15840. Psa 108:6 Kuti vadikanwi venyu vanunurwe; ponesai neruoko rwenyu rwerudyi, mugotipindura.
  15841. Psa 108:7 Mwari wakataura muutsvene hwake; ndichafara; ndichaganhura Shekemu, uye ndichayera mupata weSukoti.
  15842. Psa 108:8 Giriyadhi nderangu, Manase nderangu; Efuremuwo isimba remusoro wangu; Judha mupi wangu wemurau.
  15843. Psa 108:9 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wekushambira; pamusoro peEdhomu ndichakandira shangu yangu; pamusoro peFirisitia ndichadanidzira nekukunda.
  15844. Psa 108:10 Ndiani anondipinza muguta rakasimba? Ndiani achanditungamirira muEdhomu?
  15845. Psa 108:11 Hamuna kutirasa here, Mwari; uye hamubudi, Mwari, nehondo dzedu?
  15846. Psa 108:12 Ipai rubatsiro kwatiri kubva padambudziko; nokuti ruponeso rwemunhu harwuna maturo.
  15847. Psa 108:13 Muna Mwari tichaita neumhare; nokuti iye achatsikira vadzivisi vedu pasi.
  15848. Psa 109:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  15849. Psa 109:1 Mwari werumbidzo yangu, regai kunyarara.
  15850. Psa 109:2 Nokuti muromo wewakaipa nemuromo weunyengeri yakazarukira ini; vakataura neni nerurimi rwenhema.
  15851. Psa 109:3 Vakandikombawo nemashoko eruvengo, uye vakandirwisa pasina chikonzero.
  15852. Psa 109:4 Pachinzvimbo cherudo rwangu vanondipikisa, asi ini pamunyengetero ndiripo.
  15853. Psa 109:5 Vakaisa pandiri chakaipa pachinzvimbo chechakanaka, neruvengo pachinzvimbo cherudo rwangu.
  15854. Psa 109:6 Isai wakaipa pamusoro pake, uye Satani ngaamire paruoko rwake rwerudyi.
  15855. Psa 109:7 Paanotongwa, ngaabude nemhosva; uye munyengetero wake ngauve chivi.
  15856. Psa 109:8 Mazuva ake ngaave mashoma; umwe ngaatore utariri hwake.
  15857. Psa 109:9 Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.
  15858. Psa 109:10 Uye vana vake ngavambeye nekumbeya nekupemha; ngavatsvake zvekudya kubva mumatongo avo.
  15859. Psa 109:11 Mukweretesi ngaaise mumusungo zvose zvaanazvo; uye vatorwa ngavapambe zvibereko zvebasa rake.
  15860. Psa 109:12 Ngakusava neanomutandavadzira tsitsi; uye ngakusava neanonzwira ngoni nherera dzake.
  15861. Psa 109:13 Chizvarwa chake ngachigurwe; zita ravo ridzimwe pazera rinotevera.
  15862. Psa 109:14 Uipi hwemadzibaba ake ngahurangarirwe kuna Jehovha; nezvivi zvamai vake zvirege kudzimwa.
  15863. Psa 109:15 Ngazvive pamberi paJehovha rinhi narinhi, kuti agure kurangarirwa kwavo panyika.
  15864. Psa 109:16 Nokuti haana kurangarira kuita tsitsi, asi wakadzingirira munhu anotambudzika neanoshaiwa, nekuuraya wekuputsika pamoyo.
  15865. Psa 109:17 Sezvaakada kutuka, naizvozvo ngakuburukire kwaari; sezvaasina kufarira kuropafadza, naizvozvo ngakuve kure naye.
  15866. Psa 109:18 Sezvaakazvifukidza nekutuka sezvakafanana nenguvo yake, saizvozvo ngazviuye muura hwake semvura uye semafuta mumapfupa ake.
  15867. Psa 109:19 Ngazvive kwaari sechipfeko chaanofukidza nacho, uye sebhanhire raanozvisunga naro rinhi narinhi.
  15868. Psa 109:20 Uyu ndiwo mubairo wevadzivisi vangu kubva kuna Jehovha, newevanotaurira mweya weupenyu wangu zvakaipa.
  15869. Psa 109:21 Asi imwi Jehovha Ishe, itai neni nekuda kwezita renyu; nokuti tsitsi dzenyu dzakanaka, ndinunurei.
  15870. Psa 109:22 Nokuti ndiri murombo nemushaiwi, nemoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.
  15871. Psa 109:23 Ndapfuura semumvuri paunoreba; ndapepereswa semhashu.
  15872. Psa 109:24 Mabvi angu anodzedzereka nekutsanya; nenyama yangu yaonda nekushaiwa kukora.
  15873. Psa 109:25 Iniwo ndava chiseko kwavari; vachindiona vanodzungudza musoro wavo.
  15874. Psa 109:26 Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; ndiponesei zvichienderana netsitsi dzenyu.
  15875. Psa 109:27 Kuti vazive kuti urwu ruoko rwenyu; imwi Jehovha makazviita.
  15876. Psa 109:28 Ivo ngavatuke, asi imwi ropafadzai; kana vachisimuka, ngavanyadziswe, asi muranda wenyu ngaafare.
  15877. Psa 109:29 Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nenyadzi, ngavazvimonere nekunyara kwavo senge nejazi.
  15878. Psa 109:30 Ndichavonga Jehovha kwazvo nemuromo wangu; zvirokwazvo ndichamurumbidza pakati pevazhinji.
  15879. Psa 109:31 Nokuti achamira kuruoko rwerudyi rweanoshaiwa, kumuponesa pane vanotonga mweya weupenyu wake.
  15880. Psa 110:0 Pisarema raDhavhidhi.
  15881. Psa 110:1 Jehovha wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
  15882. Psa 110:2 Jehovha achatuma tsvimbo yesimba rako kubva paZiyoni, achiti: Tonga pakati pevavengi vako.
  15883. Psa 110:3 Vanhu vako vachada kwazvo pazuva resimba rako, mukunaka kukuru kweutsvene; kubva muchizvaro chemangwanani kunouya kwauri dova reujaya hwako.
  15884. Psa 110:4 Jehovha wakapika, uye haangazvidembi: Iwe uri mupristi kusvika rinhi narinhi, zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.
  15885. Psa 110:5 Ishe parudyi rwako achaparadza madzimambo pazuva rekutsamwa kwake.
  15886. Psa 110:6 Iye achatonga pakati pevahedheni, achazadza nezvitunha; achaparadza musoro pamusoro penyika huru.
  15887. Psa 110:7 Achanwa parukova panzira; naizvozvo achasimudza musoro.
  15888. Psa 111:1 Hareruya! Ndichavonga Jehovha nemoyo wose, parangano yevakarurama, nepaungano.
  15889. Psa 111:2 Akakura mabasa aJehovha; anotsvakwa nevose vanoafarira.
  15890. Psa 111:3 Basa rake rinokudzwa uye rine umambo; uye kururama kwake kunomira kusvika rinhi narinhi.
  15891. Psa 111:4 Wakaita kuti mabasa ake anoshamisa arangarirwe. Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi.
  15892. Psa 111:5 Wakapa zvekudya kune vanomutya; acharangarira sungano yake kusvika pakusingaperi.
  15893. Psa 111:6 Wakazivisa vanhu vake simba remabasa ake, kuvapa nhaka yemarudzi.
  15894. Psa 111:7 Mabasa emaoko ake ichokwadi nekururama; mirau yake yose ndeyechokwadi.
  15895. Psa 111:8 Yakateyiwa kusvika rinhi narinhi kusvika pakusingaperi, yakaitwa nechokwadi nekururama.
  15896. Psa 111:9 Wakatuma rudzikunuro kuvanhu vake; wakaraira sungano yake kusvika rinhi narinhi; zita rake idzvene uye rinotyisa.
  15897. Psa 111:10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri; vanonzwisisa zvakanaka vose vanoiita mirairo; rumbidzo yake inogara nekusingaperi.
  15898. Psa 112:1 Rumbidzai Jehovha! Wakaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira zvikuru mirau yake.
  15899. Psa 112:2 Mbeu yake ichava nesimba panyika; zera revakarurama richaropafadzwa.
  15900. Psa 112:3 Fuma nezvakawanda zvichava mumba make; uye kururama kwake kunogara kusvika rinhi narinhi.
  15901. Psa 112:4 Chiedza chinobudira vakarurama parima; ane nyasha netsitsi nekururama.
  15902. Psa 112:5 Wakanaka munhu anoita nenyasha, uye anopa chikwereti. Anofambisa nyaya dzake nekururama.
  15903. Psa 112:6 Nokuti haangazununguswi kusvika nekusingaperi; wakarurama achava pakurangarirwa kusvika nekusingaperi.
  15904. Psa 112:7 Haangatyi shoko rakaipa; moyo wake wakasimba, unovimba naJehovha.
  15905. Psa 112:8 Moyo wake wakatsigirwa, haangatyi, kusvika aona chishuwo chake pamusoro pevadzivisi vake.
  15906. Psa 112:9 Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara kusvika rinhi narinhi; runyanga rwake rwuchasimudzwa nerukudzo.
  15907. Psa 112:10 Wakaipa achaona ndokutsamwa; achageda-geda meno ake, ndokunyauka; chishuwo chewakaipa chichaparara.
  15908. Psa 113:1 Hareruya! Rumbidzai, varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.
  15909. Psa 113:2 Ngarirumbidzwe zita raJehovha kubva ikozvino uye kusvika rinhi narinhi.
  15910. Psa 113:3 Kubva pakubuda kwezuva kusvika pakuvira kwaro zita raJehovha ngarirumbidzwe.
  15911. Psa 113:4 Jehovha wakakwirira pamusoro pevahedheni vose; kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.
  15912. Psa 113:5 Ndiyani wakafanana naJehovha Mwari wedu? Anogara kumusoro;
  15913. Psa 113:6 anozvideredza kuti aone kumatenga nepanyika;
  15914. Psa 113:7 anomusimudza murombo kubva muguruva; anokwiridzira anoshaiwa kubva padurunhuru;
  15915. Psa 113:8 kuti amugarise pamwe nemachinda, pamwe nemachinda evanhu vake;
  15916. Psa 113:9 achigarisa mhanje mumba, ave mai vanofara vevana. Hareruya.
  15917. Psa 114:1 Pakubuda kwaIsraeri paEgipita, imba yaJakove pavanhu verurimi rwevechirudzi,
  15918. Psa 114:2 Judha wakava imba yake tsvene, Israeri akava ushe hwake ukuru.
  15919. Psa 114:3 Gungwa rakaona ndokutiza; Joridhani rwakadzokera shure.
  15920. Psa 114:4 Makomo akapembera semakondohwe; zvikomo semakwayana.
  15921. Psa 114:5 Chii kwauri, gungwa, kuti utize? Iwe Joridhani, kuti udzokere shure?
  15922. Psa 114:6 Imwi makomo, kuti munopembera semakondohwe? Imwi zvikomo, semakwayana?
  15923. Psa 114:7 Bvunda iwe pasi, pamberi paShe, pamberi paMwari waJakove,
  15924. Psa 114:8 wakashandura dombo kuva dziva remvura, dombo rakaoma kuva chitubu chemvura zhinji.
  15925. Psa 115:1 Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kuzita renyu ipai rumbidzo, nekuda kwetsitsi dzenyu, nekuda kwechokwadi chenyu.
  15926. Psa 115:2 Vahedheni vachareverei vachiti: Aripi zvino Mwari wavo?
  15927. Psa 115:3 Asi Mwari wedu ari kumatenga; wakaita chose chaakada.
  15928. Psa 115:4 Zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, basa remaoko emunhu.
  15929. Psa 115:5 Zvine muromo, asi hazvitauri; meso zvinawo, asi hazvioni.
  15930. Psa 115:6 Zvine nzeve, asi hazvinzwi; mhino zvinadzo, asi hazvinhuhwidzi;
  15931. Psa 115:7 nemaoko azvo, asi hazvibati; nemakumbo azvo, asi hazvifambi; hazvitauri nepahuro pazvo.
  15932. Psa 115:8 Vanozviita vachafanana nazvo; vose vanovimba nazvo.
  15933. Psa 115:9 Iwe Israeri, vimba naJehovha; ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
  15934. Psa 115:10 Imba yaAroni, vimba naJehovha; ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
  15935. Psa 115:11 Imwi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
  15936. Psa 115:12 Jehovha wakatirangarira; acharopafadza; acharopafadza imba yaIsraeri; acharopafadza imba yaAroni.
  15937. Psa 115:13 Acharopafadza vanotya Jehovha, vadiki pamwe nevakuru.
  15938. Psa 115:14 Jehovha achakuwanzai, imwi nevana venyu.
  15939. Psa 115:15 Imwi makaropafadzwa naJehovha, iye wakaita matenga nepasi.
  15940. Psa 115:16 Matenga, matenga ndeaJehovha; asi pasi wakapa kuvanakomana vevanhu.
  15941. Psa 115:17 Vakafa havarumbidzi Jehovha, uye kwete ani nani anoburukira kwakanyarara.
  15942. Psa 115:18 Asi isu tichakudza Jehovha kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!
  15943. Psa 116:1 Ndinomuda Jehovha, nokuti wakanzwa inzwi rangu, mikumbiro yangu.
  15944. Psa 116:2 Nokuti wakarerekera nzeve yake kwandiri; uye pamazuva angu ndichadana kwaari.
  15945. Psa 116:3 Mabote erufu akandikomba, uye marwadzo egehena akandiwana; ndakawana kushungurudzika nekusuwa.
  15946. Psa 116:4 Zvino ndakadana kuzita raJehovha: Jehovha, nunurai henyu mweya wangu.
  15947. Psa 116:5 Jehovha ane nyasha, uye wakarurama; uye Mwari wedu ane tsitsi.
  15948. Psa 116:6 Jehovha anochengeta zvituta; ndanga ndaderedzwa, iye ndokundiponesa.
  15949. Psa 116:7 Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; nokuti Jehovha wakakuitira zvakanaka.
  15950. Psa 116:8 Nokuti makanunura mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, rutsoka rwangu pakugumburwa.
  15951. Psa 116:9 Ndichafamba pamberi paJehovha panyika dzevapenyu.
  15952. Psa 116:10 Ndakatenda, naizvozvo ndakataura. Ini ndakatambudzika zvikuru.
  15953. Psa 116:11 Ini ndakati pakukurumidza kwangu: Munhu wose murevi wenhema.
  15954. Psa 116:12 Ndichadzoserei kuna Jehovha pane zvinowanikwa zvake zvose kwandiri?
  15955. Psa 116:13 Ndichasimudza mukombe weruponeso rukuru, uye ndichadana kuzita raJehovha.
  15956. Psa 116:14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha ikozvino pamberi pevanhu vake vose.
  15957. Psa 116:15 Rwakakosha pameso paJehovha rufu rwevatsvene vake.
  15958. Psa 116:16 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana wemurandakadzi wenyu; makasunungura misungo yangu.
  15959. Psa 116:17 Ndichapa kwamuri chibairo chekuvonga, uye ndichadana kuzita raJehovha.
  15960. Psa 116:18 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha ikozvino pamberi pevanhu vake vose,
  15961. Psa 116:19 pavazhe dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Hareruya!
  15962. Psa 117:1 Rumbidzai Jehovha, imwi marudzi ose; mumupururudzire imwi vanhu vose.
  15963. Psa 117:2 Nokuti unyoro hwake hwakasimba kwatiri; nechokwadi chaJehovha chinogara nekusingaperi. Hareruya!
  15964. Psa 118:1 Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake [dzinogara] kusvika rinhi narinhi.
  15965. Psa 118:2 Israeri ikozvino ngaareve kuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  15966. Psa 118:3 Veimba yaAroni ikozvino ngavareve kuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  15967. Psa 118:4 Vanotya Jehovha ikozvino ngavareve kuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  15968. Psa 118:5 Pakumanikidzwa ndakadana kuna Jehovha; Jehovha akandipindura akandiisa pakafaranuka.
  15969. Psa 118:6 Jehovha ari kwandiri; handingatyi; munhu angandiitei?
  15970. Psa 118:7 Jehovha ari kwandiri pamwe nevanondibatsira; naizvozvo ini ndichaona chishuwo changu pane vanondivenga.
  15971. Psa 118:8 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pakuvimba nemunhu.
  15972. Psa 118:9 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pakuvimba nemachinda.
  15973. Psa 118:10 Marudzi ose akandikomba; asi muzita raJehovha ndichaagura.
  15974. Psa 118:11 Akandikomba, zvirokwazvo akandikomba; asi muzita raJehovha ndichaagura.
  15975. Psa 118:12 Akandikomba senyuchi; akadzimwa semoto weminzwa; asi muzita raJehovha ndichaagura.
  15976. Psa 118:13 Iwe wakandisundidzira zvekundisundidzira, kuti ndiwe; asi Jehovha wakandibatsira.
  15977. Psa 118:14 Jehovha isimba rangu nerwiyo rwangu; uye wakava ruponeso rwangu.
  15978. Psa 118:15 Inzwi rekufara neruponeso riri mumatende evakarurama; ruoko rwerudyi rwaJehovha rwunobata nesimba.
  15979. Psa 118:16 Ruoko rwerudyi rwaJehovha rwakakwiridzirwa; ruoko rwerudyi rwaJehovha rwunobata nesimba.
  15980. Psa 118:17 Handingafi, asi ndichararama, nekurondedzera mabasa aJehovha.
  15981. Psa 118:18 Jehovha wakandiranga zvinorwadza; asi haana kundikumikidza kurufu.
  15982. Psa 118:19 Ndizarurirei masuwo ekururama; ndipinde nawo; ndirumbidze Jehovha.
  15983. Psa 118:20 Iri ndiro suwo raJehovha; vakarurama vachipinda naro.
  15984. Psa 118:21 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, ndokuva ruponeso rwangu.
  15985. Psa 118:22 Ibwe vavaki ravakaramba rava musoro wekona.
  15986. Psa 118:23 Izvi zvakabva kuna Jehovha; zvinoshamisa pameso edu.
  15987. Psa 118:24 Rino izuva Jehovha raakaita; tichafara uye tifarise mariri.
  15988. Psa 118:25 Ponesai henyu, ndinonyengetera, Jehovha; ndinonyengetera hangu Jehovha, budiririsai.
  15989. Psa 118:26 Wakaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; tinokuropafadzai tiri mumba maJehovha.
  15990. Psa 118:27 Jehovha ndiMwari, iye wakatipa chiedza. Sunga chipo chemutambo nezvisungo kuti kusvika panyanga dzearitari.
  15991. Psa 118:28 Imwi muri Mwari wangu, uye ndichakurumbidzai; Mwari wangu, ndichakukudzai.
  15992. Psa 118:29 Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  15993. Psa 119:1 Vakaropafadzwa vakarurama panzira, vanofamba mumurairo waJehovha.
  15994. Psa 119:2 Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuro zvake; vanomutsvaka nemoyo wose.
  15995. Psa 119:3 Chakaipa havaitiwo; vanofamba munzira dzake.
  15996. Psa 119:4 Imwi makaraira kuchengeta kwazvo zvimiso zvenyu.
  15997. Psa 119:5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakagadzirirwa kuchengeta zviga zvenyu.
  15998. Psa 119:6 Ipapo handinganyadziswi, pandinenge ndichichenjerera mirau yenyu yose.
  15999. Psa 119:7 Ndichakurumbidzai neuchokwadi hwemoyo, kana ndadzidza mitongo yenyu yakarurama.
  16000. Psa 119:8 Ndichachengeta zviga zvenyu; regai kundisiya zvachose.
  16001. Psa 119:9 Jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nekuchenjerera zvinoenderana neshoko renyu.
  16002. Psa 119:10 Ndakakutsvakai nemoyo wangu wose; musanditendera kutsauka pamirau yenyu.
  16003. Psa 119:11 Shoko renyu ndakaviga mumoyo wangu, kuti ndirege kukutadzirai.
  16004. Psa 119:12 Rumbidzwai imwi Jehovha; ndidzidzisei zviga zvenyu.
  16005. Psa 119:13 Nemiromo yangu ndakarondedzera mitongo yose yemuromo wenyu.
  16006. Psa 119:14 Ndakafara munzira yezvipupuriro zvenyu, sepafuma yose.
  16007. Psa 119:15 Ndichafunganya nezvimiso zvenyu, nekurangarira nzira dzenyu.
  16008. Psa 119:16 Ndichazvifadza nezviga zvenyu; handingakanganwi shoko renyu.
  16009. Psa 119:17 Batai muranda wenyu zvakanaka, kuti ndirarame uye ndichengete shoko renyu.
  16010. Psa 119:18 Zarurai maziso angu kuti ndione zvinhu zvinoshamisa zvinobva pamurau wenyu.
  16011. Psa 119:19 Ndiri mweni panyika; musandivanzira mirau yenyu.
  16012. Psa 119:20 Mweya wangu wapwanyiwa nekuda kwekushuva kumitongo yenyu panguva dzose.
  16013. Psa 119:21 Makatsiura vanozvikudza vakatukwa, vanotsauka pamirau yenyu.
  16014. Psa 119:22 Bvisai kwandiri kushorwa nekuzvidzwa; nokuti ndakachengeta zvipupuro zvenyu.
  16015. Psa 119:23 Machindawo akagara vakataura vachindirwisa; muranda wenyu wakafunganya pazvimiso zvenyu.
  16016. Psa 119:24 Zvipupuro zvenyuwo mafaro angu, vapi vangu vezano.
  16017. Psa 119:25 Mweya weupenyu wangu unonamatira kuguruva; ndiraramisei zvinoenderana neshoko renyu.
  16018. Psa 119:26 Ndakarondedzera nzira dzangu, uye makandipindura; ndidzidzisei zviga zvenyu.
  16019. Psa 119:27 Ndiitei ndinzwisise nzira yezvimiso zvenyu; saizvozvi ndichataura zvemabasa enyu anoshamisa.
  16020. Psa 119:28 Mweya weupenyu wangu unodonha nekuda kwekurwadziwa; ndisimbisei zvinoenderana neshoko renyu.
  16021. Psa 119:29 Bvisai kwandiri nzira yenhema; uye mupe kwandiri murairo wenyu nenyasha.
  16022. Psa 119:30 Ndakasarudza nzira yakatendeka; ndakaisa mitongo yenyu pamberi pangu.
  16023. Psa 119:31 Ndakanamatira pazvipupuro zvenyu; Jehovha, musandiisa pakunyadziswa.
  16024. Psa 119:32 Ndichamhanya nenzira yemirau yenyu, nokuti muchakurisa moyo wangu.
  16025. Psa 119:33 Ndidzidzisei Jehovha, nzira yezviga zvenyu; zvino ndichaichengeta kusvika pakuguma.
  16026. Psa 119:34 Ndipei kunzwisisa, zvino ndichachengeta murairo wenyu, hongu, ndichauchengetedza nemoyo wose.
  16027. Psa 119:35 Ndifambisei munzira yemirau yenyu; nokuti ndinofara mairi.
  16028. Psa 119:36 Rerekerai moyo wangu kuzvipupuro zvenyu, uye kwete kuruchiva.
  16029. Psa 119:37 Bvisai meso angu pakuona zvisina maturo; ndiraramisei munzira dzenyu.
  16030. Psa 119:38 Simbisai shoko renyu kumuranda wenyu, wakazvipira kukutyai.
  16031. Psa 119:39 Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, nokuti mitongo yenyu yakanaka.
  16032. Psa 119:40 Tarirai, ndakashuva pazviga zvenyu; ndiraramisei mukururama kwenyu.
  16033. Psa 119:41 Tsitsi dzenyu ngadziuyewo kwandiri, Jehovha, ruponeso rwenyu, zvichienderana neshoko renyu.
  16034. Psa 119:42 Ipapo ndichapindura shoko iye anondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.
  16035. Psa 119:43 Zvino musabvisa chose shoko rechokwadi kubva mumuromo mangu, nokuti ndakavimba nemutongo wenyu.
  16036. Psa 119:44 Saizvozvo ndichachengetedza murairo wenyu rinhi narinhi kusvika pakusingaperi-peri.
  16037. Psa 119:45 Zvino ndichafamba ndakafaranuka, nokuti ndinotsvaka zvimiso zvenyu.
  16038. Psa 119:46 Ndichataura zvezvipupuro zvenyuwo pamberi pemadzimambo, uye handinganyadziswi.
  16039. Psa 119:47 Zvino ndichazvifadza mumirairo yenyu yandinoda.
  16040. Psa 119:48 Zvino ndichasimudzira maoko angu kumirairo yenyu yandinoda; uye ndichafunganya nezvimiso zvenyu.
  16041. Psa 119:49 Rangarirai shoko kumuranda wenyu, ramakandiita ndivimbe naro.
  16042. Psa 119:50 Iyi ndiyo nyaradzo yangu pakutambudzika kwangu; nokuti shoko renyu rakandiraramisa.
  16043. Psa 119:51 Vanozvikudza vakandiseka kwazvo-kwazvo; handina kutsauka pamurau wenyu.
  16044. Psa 119:52 Ndakarangarira mitongo yenyu yekare, Jehovha, zvino ndikazvinyaradza.
  16045. Psa 119:53 Kutsamwa kukuru kwakandibata nekuda kwevakaipa vanosiya murau wenyu.
  16046. Psa 119:54 Zvimiso zvenyu zvakava nziyo dzangu muimba yeutorwa hwangu.
  16047. Psa 119:55 Ndakarangarira zita renyu, Jehovha, muusiku, uye ndakachengeta murau wenyu.
  16048. Psa 119:56 Izvi zvakava zvangu nokuti ndakachengetedza zviga zvenyu.
  16049. Psa 119:57 Jehovha mugove wangu; ndakati ndichachengeta mashoko enyu.
  16050. Psa 119:58 Ndakakumbira chiso chenyu nemoyo wose; ndinzwirei tsitsi zvinoenderana neshoko renyu.
  16051. Psa 119:59 Ndakafunganya nzira dzangu, ndokutendeusira tsoka dzangu kuzvipupuro zvenyu.
  16052. Psa 119:60 Ndakakurumidza, uye handina kunonoka kuchengetedza mirairo yenyu.
  16053. Psa 119:61 Mabote evakaipa akandimonera; handina kukanganwa murau wenyu.
  16054. Psa 119:62 Pakati peusiku ndichamuka kukuvongai nekuda kwemitongo yenyu yakarurama.
  16055. Psa 119:63 Ndiri shamwari yevose vanokutyai, neyevanochengeta zviga zvenyu.
  16056. Psa 119:64 Jehovha, pasi pazere netsitsi dzenyu; ndidzidzisei zvimiso zvenyu.
  16057. Psa 119:65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka, Jehovha, zvinoenderana neshoko renyu.
  16058. Psa 119:66 Ndidzidzisei pfungwa yakanaka neruzivo; nokuti ndakatenda mirairo yenyu.
  16059. Psa 119:67 Ndisati ndatambudzika ndakatsauka, asi ikozvino ndakachengetedza shoko renyu.
  16060. Psa 119:68 Imwi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei zvimiso zvenyu.
  16061. Psa 119:69 Vanozvikudza vakandipomera nhema; ini ndichachengeta zviga zvenyu nemoyo wose.
  16062. Psa 119:70 Moyo wavo wakakora semafuta; ini ndinofara mumurau wenyu.
  16063. Psa 119:71 Zvakandinakira kuti nditambudzwe; kuti ndidzidze zvimiso zvenyu.
  16064. Psa 119:72 Murairo wemuromo wenyu uri nani kwandiri pane zvuru zvegoridhe nesirivha.
  16065. Psa 119:73 Maoko enyu akandiita nekundiumba; ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu.
  16066. Psa 119:74 Vanokutyai vachandiona ndokufara; nokuti ndakataririra pashoko renyu.
  16067. Psa 119:75 Ndinoziva Jehovha, kuti mitongo yenyu yakarurama, uye makanditambudza mukutendeka.
  16068. Psa 119:76 Tsitsi dzenyu ngadzive hadzo dzenyaradzo yangu, zvinoenderana neshoko renyu kumuranda wenyu.
  16069. Psa 119:77 Unyoro hwenyu ngahwuuye kwandiri kuti ndirarame; nokuti murau wenyu mufaro wangu.
  16070. Psa 119:78 Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandibata nekunditsausa pasina chikonzero; ini ndichafunganya nezviga zvenyu.
  16071. Psa 119:79 Vanokutyai ngavatendeukire kwandiri, nevanoziva zvipupuro zvenyu.
  16072. Psa 119:80 Moyo wangu ngauperere pazvimiso zvenyu; kuti ndisanyadziswa.
  16073. Psa 119:81 Mweya weupenyu wangu unopera nekupanga ruponeso rwenyu; ndinotaririra pashoko renyu.
  16074. Psa 119:82 Meso angu anopera nekupanga shoko renyu, ndichiti: Muchandinyaradza rinhi?
  16075. Psa 119:83 Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; handina kukanganwa zvimiso zvenyu.
  16076. Psa 119:84 Mangani mazuva emuranda wenyu? Muchaita rinhi mutongo wevanonditambudza?
  16077. Psa 119:85 Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvisingaenderani nemurau wenyu.
  16078. Psa 119:86 Mirairo yenyu yose yakatendeka; vanondishusha nenhema; ndibatsirei.
  16079. Psa 119:87 Vakapotsa kundipedza panyika; asi ini handina kusiya zviga zvenyu.
  16080. Psa 119:88 Ndiraramisei zvichienderana neunyoro hwenyu; zvino ndichachengeta chipupuro chemuromo wenyu.
  16081. Psa 119:89 Nekusingaperi, Jehovha, shoko renyu rakamira mumatenga.
  16082. Psa 119:90 Kutendeka kwenyu kunosvika kuzera nezera; makasimbisa nyika, zvino inomira.
  16083. Psa 119:91 Zvichienderana nezvimiso zvenyu zvakamira zuva rino; nokuti zvose varanda venyu.
  16084. Psa 119:92 Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, ndingadai ndakaparara mudambudziko rangu.
  16085. Psa 119:93 Nekusingaperi handingakanganwi zviga zvenyu, nokuti makandiraramisa nazvo.
  16086. Psa 119:94 Ndiri wenyu, ndiponesei; nokuti ndakatsvaka zviga zvenyu.
  16087. Psa 119:95 Vakaipa vakandigarira kundiparadza; ndichacherekedza zvipupuro zvenyu.
  16088. Psa 119:96 Ndakaona kuguma kwekukwana kose; murairo wenyu mupamhi kwazvo.
  16089. Psa 119:97 Ndinoda sei murau wenyu! Zuva rose ndiko kufunganya kwangu.
  16090. Psa 119:98 Kubudikidza nemirairo yenyu inondichenjedza kupfuura vavengi vangu, nokuti ineni kusvika rinhi narinhi.
  16091. Psa 119:99 Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vose; nokuti kufunganya kwangu ndizvo zvipupuro zvenyu.
  16092. Psa 119:100 Ndinonzwisisa kupfuura vakwegura, nokuti ndakachengetedza zviga zvenyu.
  16093. Psa 119:101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira imwe neimwe yakaipa, kuti ndichengetedze shoko renyu.
  16094. Psa 119:102 Handina kutsauka pamitongo yenyu; nokuti imwi makandidzidzisa.
  16095. Psa 119:103 Anotapira sei mashoko enyu pakuravira kwangu! Kupfuura uchi mumuromo mangu!
  16096. Psa 119:104 Kubva pazviga zvenyu ndinowana kunzwisisa; naizvozvo ndakavenga nzira imwe neimwe yenhema.
  16097. Psa 119:105 Shoko renyu mwenje kutsoka dzangu, nechiedza kunzira yangu.
  16098. Psa 119:106 Ndakapika uye ndichazvisimbisa kuchengetedza mitongo yenyu yakarurama.
  16099. Psa 119:107 Ndinotambudzika kwazvo-kwazvo; ndiraramisei, Jehovha, zvinoenderana neshoko renyu.
  16100. Psa 119:108 Gamuchirai henyu zvipo zvekuzvidira zvemuromo wangu, Jehovha, mugondidzidzisa mitongo yenyu.
  16101. Psa 119:109 Mweya weupenyu wangu uri muruoko rwangu rinhi narinhi; zvakadaro handikanganwi murau wenyu.
  16102. Psa 119:110 Vakaipa vakandiisira musungo; zvakadaro handina kutsauka pazviga zvenyu.
  16103. Psa 119:111 Zvipupuro zvenyu ndakazvitora senhaka nekusingaperi; nokuti ndizvo mufaro wemoyo wangu.
  16104. Psa 119:112 Ndakarerekera moyo wangu kuita zvimiso zvenyu kusvika rinhi narinhi pakuguma.
  16105. Psa 119:113 Ndinovenga vane moyo miviri; asi murau wenyu ndinouda.
  16106. Psa 119:114 Imwi muri chivando changu nenhovo yangu; ndinotaririra shoko renyu.
  16107. Psa 119:115 Ibvai kwandiri, vaiti vezvakaipa; nokuti ndakachengetedza mirairo yaMwari wangu.
  16108. Psa 119:116 Nditsigirei zvinoenderana neshoko renyu kuti ndirarame, uye musandinyadzisa nekuda kwetariro yangu.
  16109. Psa 119:117 Nditsigirei ndigova wakaponeswa, uye nditarire pazvimiso zvenyu rinhi narinhi.
  16110. Psa 119:118 Makazvidza vose vanotsauka pazvimiso zvenyu, nokuti unyengeri hwavo inhema.
  16111. Psa 119:119 Munobvisa vose vakaipa venyika setsvina; naizvozvo ndakada zvipupuro zvenyu.
  16112. Psa 119:120 Nyama yangu inodedera nekukutyai, uye ndinotya mitongo yenyu.
  16113. Psa 119:121 Ndakaita mutongo nekutonga kwakarurama; musandisiya kuvamanikidzi vangu.
  16114. Psa 119:122 Ivai chibatiso chemuranda wenyu pane zvakanaka; vanozvikudza ngavarege kundimanikidza.
  16115. Psa 119:123 Meso angu aperera ruponeso rwenyu, neshoko rekururama kwenyu.
  16116. Psa 119:124 Itai nemuranda wenyu zvinoenderana netsitsi dzenyu, uye ndidzidzisei zvimiso zvenyu.
  16117. Psa 119:125 Ndiri muranda wenyu; ndipei kunzwisisa, kuti ndizive zvipupuro zvenyu.
  16118. Psa 119:126 Inguva yaJehovha yekushanda; nokuti vakadarika murau wenyu.
  16119. Psa 119:127 Naizvozvo ndinoda mirairo yenyu kupfuura goridhe, zvirokwazvo, kupfuura goridhe rakaisvonaka.
  16120. Psa 119:128 Naizvozvo zviga zvenyu zvose, zvose ndinozvikudza kuva zvakarurama; ndinovenga nzira imwe neimwe yenhema.
  16121. Psa 119:129 Zvipupuro zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo mweya weupenyu wangu unozvichengetedza.
  16122. Psa 119:130 Kuzarurwa kwemashoko enyu kunopa chiedza; kunopa njere zvituta.
  16123. Psa 119:131 Ndakashamisa muromo wangu ndikatakwaira; nokuti ndakashuva mirairo yenyu.
  16124. Psa 119:132 Tendeukirai kwandiri, mugondinzwira tsitsi, setsika kune vanoda zita renyu.
  16125. Psa 119:133 Simbisai nhanho dzangu mushoko renyu; uye chakaipa chipi nechipi chirege kutonga pamusoro pangu.
  16126. Psa 119:134 Ndinunurei kubva pamanikidzo yevanhu, kuti ndichengetedze zvimiso zvenyu.
  16127. Psa 119:135 Vhenekeresai chiso chenyu pamusoro pemuranda wenyu; uye ndidzidzisei zviga zvenyu.
  16128. Psa 119:136 Hova dzemvura dzinoburuka pameso angu, nokuti havachengeti murau wenyu.
  16129. Psa 119:137 Imwi makarurama, Jehovha; nemitongo yenyu yakatwasanuka.
  16130. Psa 119:138 Makaraira zvipupuro zvenyu mukururama uye mukutendeka kukuru.
  16131. Psa 119:139 Kushingaira kwangu kwakandipedza, nokuti vadzivisi vangu vakakanganwa mashoko enyu.
  16132. Psa 119:140 Shoko renyu rakaisvonakisisa; naizvozvo muranda wenyu anorida.
  16133. Psa 119:141 Ndiri mudiki, uye anozvidzwa; handikanganwi zviga zvenyu.
  16134. Psa 119:142 Kururama kwenyu kururama nekusingaperi, uye murau wenyu ichokwadi.
  16135. Psa 119:143 Manikidzo nedambudziko zvakandiwana; mirairo yenyu mufaro wangu.
  16136. Psa 119:144 Kururama kwezvipupuro zvenyu ndekwekusingaperi; ndipei kunzwisisa, zvino ndichararama.
  16137. Psa 119:145 Ndakadana nemoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; ndichachengetedza zvimiso zvenyu.
  16138. Psa 119:146 Ndakadana kwamuri; ndiponesei; kuti ndichengete zvipupuro zvenyu.
  16139. Psa 119:147 Ndakatangira mambakwedza ndikadana; ndakataririra shoko renyu.
  16140. Psa 119:148 Meso angu akatangira mirindiro yeusiku, kuti ndifunganye neshoko renyu.
  16141. Psa 119:149 Inzwai inzwi rangu zvichienderana neunyoro hwenyu; Jehovha, ndiraramisei zvinoenderana nemutongo wenyu.
  16142. Psa 119:150 Vanoswedera ivo vanotevera zvakaipa; vari kure nemurau wenyu.
  16143. Psa 119:151 Imwi muri pedo, Jehovha; uye mirairo yenyu yose ichokwadi.
  16144. Psa 119:152 Kubva kare ndichiziva maererano nezvipupuro zvenyu kuti makazviteya kusvika rinhi narinhi.
  16145. Psa 119:153 Tarirai dambudziko rangu mugondinunura; nokuti handikanganwi murau wenyu.
  16146. Psa 119:154 Revererai mhosva yangu, mugondidzikinura; ndiraramisei zvinoenderana neshoko renyu.
  16147. Psa 119:155 Ruponeso rwuri kure nevakaipa; nokuti havatsvaki zvimiso zvenyu.
  16148. Psa 119:156 Tsitsi dzenyu ihuru, Jehovha; ndiraramisei zvinoenderana nemitongo yenyu.
  16149. Psa 119:157 Vashushi vangu vazhinji, nevavengi vangu; handitsauki pazvipupuro zvenyu.
  16150. Psa 119:158 Ndakaona vadariki ndikasema; nokuti havana kuchengetedza shoko renyu.
  16151. Psa 119:159 Cherekedzai kuti ndinoda zviga zvenyu, Jehovha; ndiraramisei zvichienderana nerudo rweunyoro hwenyu.
  16152. Psa 119:160 Chokwadi ndicho shoko renyu rose; neumwe neumwe mutongo wakururama wenyu uriko kusvika rinhi narinhi.
  16153. Psa 119:161 Machinda akandishusha pasina chikonzero; uye moyo wangu wakatya nekuda kwemashoko enyu.
  16154. Psa 119:162 Ndinofara maererano neshoko renyu sewawana chakapambiwa chikuru.
  16155. Psa 119:163 Ndinovenga nekusema nhema; murau wenyu ndinouda.
  16156. Psa 119:164 Kanomwe pazuva ndinokurumbidzai nekuda kwemitongo yenyu yakarurama.
  16157. Psa 119:165 Vane rugare rukuru vanoda murau wenyu; uye havana chigumbuso.
  16158. Psa 119:166 Jehovha, ndakatarira ruponeso rwenyu, uye ndakaita mirairo yenyu.
  16159. Psa 119:167 Mweya weupenyu wangu wakachengetedza zvipupuro zvenyu; uye ndinozvida zvikuru.
  16160. Psa 119:168 Ndakachengeta zviga zvenyu nezvipupuro zvenyu; nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu.
  16161. Psa 119:169 Kudana kwangu ngakuswedere pamberi penyu, Jehovha; ndipei kunzwisisa zvichienderana neshoko renyu.
  16162. Psa 119:170 Mukumbiro wangu ngausvike pamberi penyu; ndinunurei zvichienderana neshoko renyu.
  16163. Psa 119:171 Miromo yangu ichadurura rumbidzo, nokuti makandidzidzisa zvimiso zvenyu.
  16164. Psa 119:172 Rurimi rwangu rwuchataura shoko renyu, nokuti mirairo yenyu yose kururama.
  16165. Psa 119:173 Ruoko rwenyu ngarwuve rubatsiro rwangu, nokuti ndakasarudza zviga zvenyu.
  16166. Psa 119:174 Ndakashuva ruponeso rwenyu, Jehovha; uye murau wenyu mafaro angu.
  16167. Psa 119:175 Mweya weupenyu wangu ngaurarame, zvino uchakurumbidzai; nemitongo yenyu ngaindibatsire.
  16168. Psa 119:176 Ndakatsauka segwai rakarasika; tsvakai muranda wenyu; nokuti handina kukanganwa mirairo yenyu.
  16169. Psa 120:0 Rwiyo rwekukwira.
  16170. Psa 120:1 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, zvino akandipindura.
  16171. Psa 120:2 Nunurai mweya weupenyu wangu, Jehovha, kubva pamuromo unoreva nhema, parurimi rwunonyengera.
  16172. Psa 120:3 Achakupei, uye achawedzerei kwauri, iwe rurimi rwunonyengera?
  16173. Psa 120:4 Miseve yakapinza yeane simba, pamwe nemazimbe anopfuta emurara.
  16174. Psa 120:5 Nhamo kwandiri, nokuti ndigere semutorwa paMesheki, ndigere pamwe chete nematende eKedhari!
  16175. Psa 120:6 Mweya weupenyu wangu wakanguva wagara neanovenga rugare.
  16176. Psa 120:7 Ndiri werugare; asi pandinotaura, ndeve hondo.
  16177. Psa 121:0 Rwiyo rwekukwira.
  16178. Psa 121:1 Ndichasimudzira meso angu kumakomo; uko kunobva rubatsiro rwangu.
  16179. Psa 121:2 Rubatsiro rwangu rwunobva kuna Jehovha, wakaita matenga nenyika.
  16180. Psa 121:3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; muchengetedzi wako haangatsumwairi.
  16181. Psa 121:4 Tarirai, muchengetedzi waIsraeri haangatsumwairi uye haangarari.
  16182. Psa 121:5 Jehovha muchengetedzi wako; Jehovha mumvuri wako paruoko rwako rwerudyi.
  16183. Psa 121:6 Zuva haringakurovi masikati, kana mwedzi pausiku.
  16184. Psa 121:7 Jehovha achakuchengetedza kubva pazvakaipa zvese; achachengeta mweya weupenyu wako.
  16185. Psa 121:8 Jehovha achachengetedza kubuda kwako nekupinda kwako, kubva ikozvino uye kusvika nekusingaperi.
  16186. Psa 122:0 Rwiyo rwekukwira; rwaDhavhidhi.
  16187. Psa 122:1 Ndakafara pavakati kwandiri: Ngatiende kuimba yaJehovha.
  16188. Psa 122:2 Tsoka dzedu dzimire mumasuwo ako, Jerusarema.
  16189. Psa 122:3 Jerusarema rakavakwa seguta rakasangana pariri.
  16190. Psa 122:4 Ndiko kunokwira marudzi, marudzi aJehovha, kuchipupuriro chaIsraeri, kuvonga kuzita raJehovha.
  16191. Psa 122:5 Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zveushe zvekutonga, zvigaro zveushe zveimba yaDhavhidhi.
  16192. Psa 122:6 Nyengetererai rugare rweJerusarema; vanokudai vachabudirira.
  16193. Psa 122:7 Rugare ngarwuve mukati memasvingo ako, kuchengetedzeka mukati medzimba dzako dzeushe.
  16194. Psa 122:8 Nekuda kwehama dzangu neshamwari dzangu ikozvino ndava kuti: Rugare ngarwuve mukati mako.
  16195. Psa 122:9 Nekuda kweimba yaJehovha Mwari wedu ndichakutsvakira zvakanaka.
  16196. Psa 123:0 Rwiyo rwekukwira.
  16197. Psa 123:1 Ndinosimudzira meso angu kwamuri, imwi munogara kumatenga.
  16198. Psa 123:2 Tarirai, meso evarandarume sezvaari paruoko rwatenzi wavo, meso emurandakadzi sezvaari paruoko rwatenzikadzi wake; saizvozvo meso edu ari kuna Jehovha Mwari wedu, kusvika atinzwira tsitsi.
  16199. Psa 123:3 Tinzwirei tsitsi, Jehovha, tinzwirei tsitsi; nokuti tizere kwazvo nekuzvidzwa.
  16200. Psa 123:4 Mweya weupenyu wedu wakazara kwazvo nekushora kwevakagarika, ruzvidzo rwevanozvikudza.
  16201. Psa 124:0 Rwiyo rwekukwira; rwaDhavhidhi.
  16202. Psa 124:1 Dai aiva asiri Jehovha waiva nesu, Israeri ngaadaro;
  16203. Psa 124:2 dai aiva asiri Jehovha waiva nesu, vanhu pavaitimukira;
  16204. Psa 124:3 ipapo vangadai vakatimedza tiri vapenyu pakupfuta kwehasha dzavo kwatiri.
  16205. Psa 124:4 Ipapo mvura zhinji ingadai yakatiputira, rwizi rungadai rwakapfuura nepamusoro pemweya wedu.
  16206. Psa 124:5 Ipapo mvura zhinji inozvikudza ingadai yakapfuura nepamusoro pemweya weupenyu wedu.
  16207. Psa 124:6 Jehovha ngaarumbidzwe iye asina kutipa kuti tive chinojimbiwa pamazino avo.
  16208. Psa 124:7 Mweya weupenyu wedu wapukunyuka seshiri pamusungo wemuteyi weshiri; musungo wadambuka, uye isu tapukunyuka.
  16209. Psa 124:8 Rubatsiro rwedu rwuri muzita raJehovha, wakaita matenga nenyika.
  16210. Psa 125:0 Rwiyo rwekukwira.
  16211. Psa 125:1 Vanovimba naJehovha [vakaita] segomo reZiyoni, [ri]singazununguki, rimire kusvika nekusingaperi.
  16212. Psa 125:2 Makomo akapoteredza Jerusarema; saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva ikozvino uye kusvika rinhi narinhi.
  16213. Psa 125:3 Nokuti tsvimbo yeushe yeuipi haingagari pamugove wevakarurama; kuti vakarurama vasatambunudzira maoko avo kuuipi.
  16214. Psa 125:4 Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, nekune vakarurama pamoyo yavo.
  16215. Psa 125:5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavafambisa nevaiti vezvakaipa. Rugare rwuchava pamusoro paIsraeri!
  16216. Psa 126:0 Rwiyo rwekukwira.
  16217. Psa 126:1 Pakudzosa kwaJehovha nhapwa dzeZiyoni, takava sevanorota.
  16218. Psa 126:2 Ipapo muromo wedu wakazara kuseka, nerurimi rwedu kuimba. Ipapo vakati pakati pevahedheni: Jehovha wakavaitira zvinhu zvikuru.
  16219. Psa 126:3 Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; tinofara.
  16220. Psa 126:4 Dzosaizve, Jehovha, utapwa hwedu, sehova kuchamhembe.
  16221. Psa 126:5 Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nemufaro.
  16222. Psa 126:6 Anofamba-famba, zvino achichema misodzi, akatakura mbeu yekudzvara, achadzoka zvekudzoka nekufara akatakura zvisote zvake.
  16223. Psa 127:0 Rwiyo rwekukwira; rwaSoromoni.
  16224. Psa 127:1 Kana Jehovha asingavaki imba, vanoivaka vanoita pasina; kana Jehovha asingachengeti guta, murindi anorindira pasina.
  16225. Psa 127:2 Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani, mugare kusvika hwava usiku, mudye zvekudya zvekutamburira; saizvozvo anopa hope mudikanwi wake.
  16226. Psa 127:3 Tarirai, vana inhaka yaJehovha; chibereko chechizvaro mubairo.
  16227. Psa 127:4 Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana veujaya.
  16228. Psa 127:5 Wakaropafadzwa murume wakazadza goba rake navo; havanganyadziswi, nokuti vachataurirana nevavengi pasuwo.
  16229. Psa 128:0 Rwiyo rwekukwira.
  16230. Psa 128:1 Wakaropafadzwa wose anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.
  16231. Psa 128:2 Nokuti iwe uchadya kubata kwemaoko ako; uchafara, uye zvichava zvakanaka kwauri.
  16232. Psa 128:3 Mukadzi wako achava semuzambiringa unobereka kumativi eimba yako; vana vako vachava semabukira emiorivhi vakakomberedza tafura yako.
  16233. Psa 128:4 Nokuti tarirai, saizvozvo acharopafadzwa murume anotya Jehovha.
  16234. Psa 128:5 Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; uye uchaona zvakanaka zveJerusarema mazuva ose eupenyu hwako.
  16235. Psa 128:6 Uye uchaona vana vevana vako. Rugare ngarwuve pamusoro paIsraeri.
  16236. Psa 129:0 Rwiyo rwekukwira.
  16237. Psa 129:1 Kazhinji vakanditambudza kubva paudiki hwangu, Israeri ngaadaro hake.
  16238. Psa 129:2 Kazhinji vakanditambudza kubva paudiki hwangu; zvakadaro havana kundikunda.
  16239. Psa 129:3 Varimi vakarima pamusana wangu; vakarebesa mihoronga yavo.
  16240. Psa 129:4 Jehovha wakarurama; wakagura mabote evakaipa.
  16241. Psa 129:5 Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, ivo vose vanovenga Ziyoni.
  16242. Psa 129:6 Ngavave seuswa pamatenga eimba, hunosvava husati hwakura.
  16243. Psa 129:7 Mukohwi haazadzi ruoko rwake nahwo, neanosunga zvisote fungata rake.
  16244. Psa 129:8 Nevanopfuura vasareva kuti: Ropafadzo yaJehovha ngaive pamusoro penyu; tinokuropafadzai muzita raJehovha.
  16245. Psa 130:0 Rwiyo rwekukwira.
  16246. Psa 130:1 Ndiri muudziku ndakadanidzira kwamuri, Jehovha.
  16247. Psa 130:2 Ishe, inzwai inzwi rangu; nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi remikumbiro yangu.
  16248. Psa 130:3 Dai imwi Jehovha, maicherekedza zvitadzo, Ishe, ndiani angamira?
  16249. Psa 130:4 Asi kwamuri kune kanganwiro, kuti mutyiwe.
  16250. Psa 130:5 Ndakamirira Jehovha; mweya weupenyu wangu unomirira; uye ndinotaririra shoko rake.
  16251. Psa 130:6 Mweya weupenyu wangu unorindira Ishe, kupfuura vanorindira rungwanani, vakarindira rungwanani.
  16252. Psa 130:7 Israeri ngaataririre kuna Jehovha, nokuti kuna Jehovha kune tsitsi, uye kwaari kune rudzikinuro rukuru.
  16253. Psa 130:8 Zvino iye anodzikinura Israeri pazvitadzo zvake zvose.
  16254. Psa 131:0 Rwiyo rwekukwira rwaDhavhidhi.
  16255. Psa 131:1 Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, uye meso angu haakwiriri, uye handina kufamba pazvinhu zvakakura nepazvinhu zvinoshamisa kwazvo kwandiri.
  16256. Psa 131:2 Zvirokwazvo ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya weupenyu wangu, seanorumurwa kuna mai vake; mweya weupenyu wangu wakaita seakarumurwa mandiri.
  16257. Psa 131:3 Israeri ngaataririre kuna Jehovha kubva ikozvino kusvika pakusingaperi.
  16258. Psa 132:0 Rwiyo rwekukwira.
  16259. Psa 132:1 Jehovha, rangarirai Dhavhidhi, matambudziko ake ose.
  16260. Psa 132:2 Kuti wakapika kuna Jehovha, wakavimbisa kuna Wemasimbaose waJakove, achiti:
  16261. Psa 132:3 Zvirokwazvo handingapindi mutende reimba yangu, zvirokwazvo handingakwiri pamubhedha wenhovo yangu.
  16262. Psa 132:4 Zvirokwazvo handingapi meso angu hope kana kukotsira kuzvivharo zvemeso angu.
  16263. Psa 132:5 Kusvika ndawanira Jehovha nzvimbo, nzvimbo dzekugara dzeWemasimbaose waJakove.
  16264. Psa 132:6 Tarirai, takazvinzwa muEfurati; takazviwana muminda yesango reJaari.
  16265. Psa 132:7 Tichapinda mutabhenakeri dzake; tichashumira pachitsiko chetsoka dzake.
  16266. Psa 132:8 Simukai Jehovha, muende pakuzorora kwenyu; imwi neareka yesimba renyu.
  16267. Psa 132:9 Vapristi venyu ngavapfekedzwe kururama; uye vatsvene venyu ngavapururudze.
  16268. Psa 132:10 Nekuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, regai kufuratira chiso chemuzodzwa wenyu.
  16269. Psa 132:11 Jehovha wakapika chokwadi kuna Dhavhidhi; haangadzokeri shure pachiri, achiti: Kubva pachibereko chedumbu rako ndichaisa pachigaro chako cheushe.
  16270. Psa 132:12 Kana vana vako vachichengetedza sungano yangu nezvipupuro zvangu zvandinovadzidzisa, vana vavowo vachagara pachigaro chako cheushe kusvika rinhi narinhi.
  16271. Psa 132:13 Nokuti Jehovha wakasanangura Ziyoni; akarishuva kuti huve ugaro hwake.
  16272. Psa 132:14 Uhwu ndihwo ugaro hwangu hwekuzorora kusvika rinhi narinhi. Pano ndichagara nokuti ndakapashuva.
  16273. Psa 132:15 Ndicharopafadza kwazvo zvekudya zvaro; ndichagutisa varombo varo nechingwa.
  16274. Psa 132:16 Ndichapfekedzawo vapristi varo neruponeso; uye vatsvene varo vachapururudza kwazvo.
  16275. Psa 132:17 Ipapo ndichatungisa runyanga rwaDhavhidhi; ndigogadzira muzodzwa wangu mwenje.
  16276. Psa 132:18 Vavengi vake ndichavapfekedza nyadzi; asi korona yake ichapenya pamusoro pake.
  16277. Psa 133:0 Rwiyo rwekukwira; rwaDhavhidhi.
  16278. Psa 133:1 Tarirai, zvakanaka sei uye kunofadza sei kugara pamwe kwehama, iko kubatana.
  16279. Psa 133:2 Zvakafanana nemafuta akanaka, pamusoro pemusoro, achiburukira pandebvu, ndebvu dzaAroni, anoburukira kumupendero wenguvo dzake.
  16280. Psa 133:3 Sedova reHerimoni, rinoburukira pamakomo eZiyoni; nokuti ipapo Jehovha wakaraira ropafadzo, upenyu kusvika pakusingaperi.
  16281. Psa 134:0 Rwiyo rwekukwira.
  16282. Psa 134:1 Tarirai, rumbidzai Jehovha, imwi varanda vose vaJehovha, imwi munomira usiku uzhinji muimba yaJehovha.
  16283. Psa 134:2 Simudzirai maoko enyu kunzvimbo tsvene, uye murumbidze Jehovha.
  16284. Psa 134:3 Jehovha ngaakuropafadze ari paZiyoni; iye akaita matenga nenyika.
  16285. Psa 135:1 Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; [mu]rumbidzei, imwi varanda vaJehovha.
  16286. Psa 135:2 Imwi mumire muimba yaJehovha, muvazhe dzeimba yaMwari wedu.
  16287. Psa 135:3 Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha wakanaka; imbirai zita rake rumbidzo; nokuti zvinofadza.
  16288. Psa 135:4 Nokuti Jehovha wakazvisarudzira Jakove, Israeri ave chinokosha chake chakasanangurwa.
  16289. Psa 135:5 Nokuti ini ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye Ishe wedu ari pamusoro pevamwari vose.
  16290. Psa 135:6 Zvose Jehovha zvaanoda anozviita, kumatenga nepanyika, mumakungwa neudziku hwose.
  16291. Psa 135:7 Anokwidza mhute zhinji kumugumo wenyika; anoitira mvura mheni; anobudisa mhepo pamatura ake.
  16292. Psa 135:8 Iye wakarova matangwe eEgipita, kubva kumunhu kusvika kumhuka.
  16293. Psa 135:9 Wakatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Egipita, pamusoro paFarao nepamusoro pevaranda vake vose.
  16294. Psa 135:10 Iye wakarova marudzi mazhinji, nekuuraya madzimambo ane simba:
  16295. Psa 135:11 Sihoni mambo wevaAmori, naOgi mambo weBhashani, neushe hwose hweKenani.
  16296. Psa 135:12 Ndokupa nyika yavo ive nhaka, nhaka yaIsraeri rudzi rwake.
  16297. Psa 135:13 Jehovha, zita renyu riripo nekusingaperi; Jehovha, kurangarirwa kwenyu kuri kuzera nezera.
  16298. Psa 135:14 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake; uye achazvidemba pamusoro pevaranda vake.
  16299. Psa 135:15 Zvifananidzo zvevahedheni isirivha negoridhe, basa remaoko evanhu.
  16300. Psa 135:16 Zvine miromo, asi hazvitauri; meso zvinawo, asi hazvioni.
  16301. Psa 135:17 Zvine nzeve, asi hazvinzwi; nemweya haupo pamuromo wazvo.
  16302. Psa 135:18 Vanozviita vanofanana nazvo; wose anovimba nazvo.
  16303. Psa 135:19 Iwe imba yaIsraeri, rumbidza Jehovha; iwe imba yaAroni, rumbidza Jehovha;
  16304. Psa 135:20 iwe imba yaRevhi, rumbidza Jehovha; imwi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
  16305. Psa 135:21 Ngaarumbidzwe Jehovha ari paZiyoni, iye agere paJerusarema. Hareruya!
  16306. Psa 136:1 Vongai Jehovha, nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake [dzinogara] kusvika rinhi narinhi.
  16307. Psa 136:2 Vongai Mwari wevamwari; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16308. Psa 136:3 Vongai Ishe wemadzishe; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16309. Psa 136:4 Iye oga anoita zvishamiso zvikuru; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16310. Psa 136:5 Iye wakaita matenga nenjere; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16311. Psa 136:6 Iye anotatamura nyika pamusoro pemvura zhinji; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16312. Psa 136:7 Iye wakaita zviedza zvikuru; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16313. Psa 136:8 Zuva kutonga pamasikati; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16314. Psa 136:9 Mwedzi nenyeredzi kutonga pausiku; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16315. Psa 136:10 Iye wakarova vaEgipita pamatangwe avo; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16316. Psa 136:11 Zvino wakabudisa Israeri kubva pakati pavo; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16317. Psa 136:12 Neruoko rwune simba, uye nechanza chakatandavadzwa; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16318. Psa 136:13 Iye wakaparadzanisa Gungwa Dzvuku kuva mapandi; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16319. Psa 136:14 Nekupfuudza Israeri nepakati paro; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16320. Psa 136:15 Asi wakazunzira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16321. Psa 136:16 Iye wakatungamirira vanhu vake murenje; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16322. Psa 136:17 Iye wakarova madzimambo makuru; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16323. Psa 136:18 Hongu, wakauraya madzimambo anokudzwa; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16324. Psa 136:19 Sihoni mambo wevaAmori; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16325. Psa 136:20 NaOgi mambo weBhashani; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16326. Psa 136:21 Ndokupa nyika yavo kuva nhaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16327. Psa 136:22 Nhaka kuna Israeri muranda wake; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16328. Psa 136:23 Iye wakatirangarira pakuva pasi kwedu; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16329. Psa 136:24 Zvino wakatinunura kubva pavavengi vedu; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16330. Psa 136:25 Achipa nyama yose zvekudya; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16331. Psa 136:26 Vongai Mwari wematenga; nokuti tsitsi dzake dzinogara kusvika rinhi narinhi.
  16332. Psa 137:1 Panzizi dzeBhabhironi, ipapo takagara, hongu takachema misodzi patairangarira Ziyoni.
  16333. Psa 137:2 Pamikonachando mukati madzo takaturika mbira dzedu.
  16334. Psa 137:3 Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko erwiyo, nevakatipamba vakakumbira mufaro, vachiti: Tiimbireiwo parwiyo rweZiyoni.
  16335. Psa 137:4 Tingaimba sei rwiyo rwaJehovha munyika yeutorwa?
  16336. Psa 137:5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rwerudyi ngarukanganwe umhizha.
  16337. Psa 137:6 Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadza angu, kana ndikasakurangarira, kana ndisingasimudziri Jerusarema pamusoro pemufaro wangu mukurusa.
  16338. Psa 137:7 Rangarirai, Jehovha, vana vaEdhomu, zuva reJerusarema, ivo vakati: Putsai, putsai, kusvika panheyo yaro.
  16339. Psa 137:8 Iwe mukunda weBhabhironi, wava kuzoparadzwa; wakaropafadzwa achatsiva kwauri chiito chako chawakaita kwatiri.
  16340. Psa 137:9 Wakaropafadzwa achabata ndokurovera vacheche vako padombo.
  16341. Psa 138:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  16342. Psa 138:1 Ndichakuvongai nemoyo wangu wose; ndichakuimbirai rumbidzo pamberi pevamwari.
  16343. Psa 138:2 Ndichanamata ndakatarira kutembere yenyu tsvene, nekurumbidza zita renyu nekuda kweunyoro hwenyu uye nekuda kwekutendeka kwenyu; nokuti makakurisa shoko renyu pamusoro pezita renyu rose.
  16344. Psa 138:3 Pazuva randakadana makandipindura, makandisimbisa nesimba pamweya weupenyu wangu.
  16345. Psa 138:4 Madzimambo ose enyika achakurumbidzai, Jehovha, nokuti vakanzwa mashoko emuromo wenyu.
  16346. Psa 138:5 Hongu, vachaimba nezvenzira dzaJehovha; nokuti kurumbidzwa kwaJehovha kukuru.
  16347. Psa 138:6 Nokuti Jehovha wakakwirira, zvakadaro anoona wakaderera; asi anozvikudza anomuziva ari kure.
  16348. Psa 138:7 Pandinofamba pakati pedambudziko, muchandiraramisa; munotuma ruoko rwenyu kurwisa hasha dzevavengi vangu, uye ruoko rwenyu rwerudyi rwuchandiponesa.
  16349. Psa 138:8 Jehovha achakwanisira zviri maererano neni. Tsitsi dzenyu, Jehovha, dzinogara kusvika rinhi narinhi. Musasiya mabasa emaoko enyu.
  16350. Psa 139:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  16351. Psa 139:1 Jehovha, makandinzvera, uye munondiziva.
  16352. Psa 139:2 Imwi munoziva kugara kwangu pasi nekusimuka kwangu; munonzwisisa murangariro wangu muri kure.
  16353. Psa 139:3 Munopepeta kufamba kwangu nekurara kwangu; uye munozivisisa nzira dzangu dzose.
  16354. Psa 139:4 Nokuti shoko haripo parurimi rwangu: Tarirai, Jehovha, matoriziva rose.
  16355. Psa 139:5 Makandikomberedza shure nemberi; uye makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
  16356. Psa 139:6 Ruzivo rwakadai rwunoshamisa kwazvo kwandiri; rwakakwirira; handigoni kusvikira kwarwuri.
  16357. Psa 139:7 Ndichaendepi ndibve pamweya wenyu? Kana ndichatizirepi ndibve pachiso chenyu?
  16358. Psa 139:8 Kana ndikakwira kumatenga, ipapo muripo; kana ndikawaridza nhovo yangu paSheori, tarirai muripo.
  16359. Psa 139:9 Ndikatora mapapiro emangwanani, ndigare pamugumo wegungwa,
  16360. Psa 139:10 ipapowo ruoko rwenyu ruchanditungamirira, uye ruoko rwenyu rwerudyi ruchandibata.
  16361. Psa 139:11 Kana ndichiti: Zvirokwazvo, rima richandifukidza; zvino usiku huchava chiedza kwandiri mativi ose.
  16362. Psa 139:12 Nerima harisvibi kwamuri, asi usiku hunopenya semasikati; serima, chakadaro chiedza kwamuri.
  16363. Psa 139:13 Nokuti imwi makava muridzi weitsvo dzangu; makandiruka mudumbu ramai vangu.
  16364. Psa 139:14 Ndichakurumbidzai; nokuti ndakaitwa zvinotyisa uye zvinoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; uye mweya weupenyu wangu unoziva kwazvo.
  16365. Psa 139:15 Mapfupa angu aiva asina kuvanzwa kwamuri, pandaiitwa pachivande, ndakanyatsorukwa neunyanzvi panzvimbo dzezasi dzepasi.
  16366. Psa 139:16 Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kuumbiridzwa; uye murugwaro rwenyu zvose izvi zvakanyorwa, mazuva azvakaumbwa nawo, kusati kwava nechimwe chazvo.
  16367. Psa 139:17 Uye yakakosha sei kwandiri mirangariro yenyu, Mwari! Yakakura sei pauwandu hwayo pamwe chete!
  16368. Psa 139:18 Kana ndikaiverenga, yakawanda kupfuura jecha; pandinomuka, ndichinemwi.
  16369. Psa 139:19 Zvirokwazvo, muchauraya wakaipa, Mwari! Naizvozvo imwi varume veropa zhinji, ibvai kwandiri,
  16370. Psa 139:20 vanokutaurai nekunyengera; vavengi venyu vanotora zita renyu pasina.
  16371. Psa 139:21 Handivavengi here, Jehovha, vanokuvengai, uye ndinosemeswa nevanokumukirai?
  16372. Psa 139:22 Ndinovavenga neruvengo rwakakwana; vava vavengi kwandiri.
  16373. Psa 139:23 Ndinzverei, Mwari, mugoziva moyo wangu; ndiidzei, mugoziva ndangariro dzangu;
  16374. Psa 139:24 mugoona kana pane nzira yakaipa mandiri; uye nditungamirirei munzira isingaperi.
  16375. Psa 140:0 Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.
  16376. Psa 140:1 Ndinunurei, Jehovha, kubva pamunhu wakaipa; ndichengetedzei kubva pamurume ane hasha zhinji.
  16377. Psa 140:2 Ivo, vanoronga zvakaipa mumoyo; zuva rose vanounganira hondo zhinji.
  16378. Psa 140:3 Vakarodza rurimi rwavo senyoka; uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo. Sera.
  16379. Psa 140:4 Ndichengetedzei, Jehovha, kubva pamaoko ewakaipa; ndidzivirirei kubva pamurume ane hasha zhinji, vanoronga kuwisa tsoka dzangu.
  16380. Psa 140:5 Vanozvikudza vakandivanzira musungo uye mabote; vakatandira mumbure parutivi rwenzira; vakanditeyera vugombe. Sera.
  16381. Psa 140:6 Ndakati kuna Jehovha: Imwi muri Mwari wangu. Isai nzeve, Jehovha, painzwi remikumbiro yangu.
  16382. Psa 140:7 Jehovha, Ishe, simba reruponeso rwangu, makafukidza musoro wangu pazuva rezvombo.
  16383. Psa 140:8 Regai kupa, Jehovha, zvishuwo zvewakaipa; regai kubudiririsa zano rake rakaipa; zvimwe vazvikudze. Sera.
  16384. Psa 140:9 Kana uri musoro wevanondikomba, kutambudza kwemiromo yavo ngakuvafukidze.
  16385. Psa 140:10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngaavawisire mumoto, mumakomba akadzika, kuti vasamuka.
  16386. Psa 140:11 Munhu werurimi rwakaipa haangasimbiswi panyika; munhu ane hasha, zvakaipa zvichamuvhima kuve kusundwa kukuru.
  16387. Psa 140:12 Ndinoziva kuti Jehovha achashanda mhosva yevanotambudzika, nekururamisira vashaiwi.
  16388. Psa 140:13 Zvirokwazvo, vakarurama vacharumbidza zita renyu; vakatwasanuka vachagara pamberi penyu.
  16389. Psa 141:0 Pisarema raDhavhidhi.
  16390. Psa 141:1 Jehovha, ndinochema kwamuri; kurumidzai kwandiri; ipai nzeve kuinzwi rangu kana ndichidana kwamuri.
  16391. Psa 141:2 Munyengetero wangu ngaumiswe sezvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi penyu, kusimudza maoko kwangu sechipo chemadekwani.
  16392. Psa 141:3 Jehovha, isirai muromo wangu murindi; chengetai mukova wemiromo yangu.
  16393. Psa 141:4 Regai kurerekeresa moyo wangu kuchinhu chakaipa, kuti ndiite zviito mune zvakaipa pamwe nevanhu vanoita zvakashata, uye ndirege kudya zvezvinonaka zvavo.
  16394. Psa 141:5 Wakarurama ngaandirove mutsitsi uye anditsiure; ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungarambi; nokuti zvakadaro nemunyengetero wangu uchava pamatambudziko avo.
  16395. Psa 141:6 Vatongi vavo vakapotserwa kumacheto kwedombo; zvino vachanzwa mashoko angu nokuti anofadza.
  16396. Psa 141:7 Mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva seanopamura nekutsemura muvhu.
  16397. Psa 141:8 Asi meso angu ari kwamuri, Jehovha, Ishe; ndinovimba nemwi; regai kudurura mweya weupenyu wangu.
  16398. Psa 141:9 Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, nepavugombe hwevaiti vezvakaipa.
  16399. Psa 141:10 Vakaipa ngavawire mumimbure yavo pamwe, kusvika ini ndapfuura.
  16400. Psa 142:0 Masikiri yaDhavhidhi, munyengetero, paakanga ari mubako.
  16401. Psa 142:1 Ndinodana kuna Jehovha [ne]nzwi rangu; ndinonyengetera [ne]nzwi rangu kuna Jehovha.
  16402. Psa 142:2 Ndinodurura chichemo changu pamberi pake; ndinozivisa kutambudzika kwangu pamberi pake.
  16403. Psa 142:3 Apo mweya wangu wapera simba mukati mangu, imwi makaziva gwara rangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.
  16404. Psa 142:4 Tarirai kurudyi, mugoona; asi kwaiva kusina anondiziva; utiziro hwakandikona; hakuna wakashingairira mweya weupenyu wangu.
  16405. Psa 142:5 Ndakachemera kwamuri, Jehovha; ndakati: Ndimwi utiziro hwangu, mugove wangu panyika yevapenyu.
  16406. Psa 142:6 Teererai kuchema kwangu; nokuti ndaderedzwa kwazvo. Ndinunurei pane vanondidzingirira; nokuti vane simba kundipfuura.
  16407. Psa 142:7 Budisai mweya weupenyu wangu mutirongo kuti ndirumbidze zita renyu; vakarurama vachandikomberedza; nokuti muchandibata zvakanaka kwazvo.
  16408. Psa 143:0 Pisarema raDhavhidhi.
  16409. Psa 143:1 Jehovha, inzwai munyengetero wangu; ipai nzeve kumikumbiro yangu; ndipindurei mukutendeka kwenyu mukururama kwenyu.
  16410. Psa 143:2 Regai kupinda pamutongo nemuranda wenyu. Nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
  16411. Psa 143:3 Nokuti muvengi wakadzingirira mweya weupenyu wangu; wakatsikirira upenyu hwangu pasi; wakandigarisa panzvimbo dzine rima, sevaya vakafa kare.
  16412. Psa 143:4 Naizvozvo mweya weupenyu wangu wapera simba mukati mangu; moyo wangu warukutika mukati mangu.
  16413. Psa 143:5 Ndinorangarira mazuva ekare; ndichifunganya pazviito zvenyu zvose; ndinofunga nebasa reruoko rwenyu.
  16414. Psa 143:6 Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri; mweya weupenyu wangu unoshuva imwi, senyika yakaomerwa. Sera.
  16415. Psa 143:7 Kurumidzai mundipindure, Jehovha; mweya wangu waziya; regai kundivanzira chiso chenyu; zvimwe ndive sevanoburukira kugomba.
  16416. Psa 143:8 Ndinzwisei rudo rweunyoro hwenyu mangwanani; nokuti ndinovimba mamuri; ndizivisei nzira yandingafamba nayo; nokuti ndinosimudzira mweya weupenyu wangu kwamuri.
  16417. Psa 143:9 Ndinunurei pavavengi vangu, Jehovha; ndinozvivanza mamuri.
  16418. Psa 143:10 Ndidzidzisei kuita chido chenyu; nokuti imwi muri Mwari wangu; Mweya weupenyu wenyu wakanaka; nditungamirirei munyika yekururama.
  16419. Psa 143:11 Nekuda kwezita renyu, Jehovha, ndiraramisei. Mukururama kwenyu budisai mweya weupenyu wangu pakutambudzika.
  16420. Psa 143:12 Zvino mutsitsi dzenyu pedzai vavengi vangu, uye paradzai vadzivisi vemweya weupenyu wangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.
  16421. Psa 144:0 [Pisarema] raDhavhidhi.
  16422. Psa 144:1 Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, anodzidzisira maoko angu hondo, minwe yangu kurwa;
  16423. Psa 144:2 unyoro hwangu, nenhare yangu, shongwe yangu yakakwirira, nemununuri wangu kwandiri; nhovo yangu, uye iye wandinovimba naye; anoisa vanhu vangu pasi pangu.
  16424. Psa 144:3 Jehovha, munhu chii, kuti mumuzive? Mwanakomana wemunhu, kuti mumurangarire?
  16425. Psa 144:4 Munhu wakaita sechisina maturo; mazuva ake akaita semumvuri unopfuura.
  16426. Psa 144:5 Jehovha, rerekesai matenga enyu, uye burukai; gunzvai makomo, agopfungaira.
  16427. Psa 144:6 Penyesai mheni, mugovaparadzira; furai miseve yenyu, mugovavhundusa.
  16428. Psa 144:7 Tandavadzai ruoko rwenyu muri kumusoro; ndisunungurei, mugondinunura kubva pamvura zhinji, kubva paruoko rwevana vemutorwa.
  16429. Psa 144:8 Avo muromo wavo wakataura nhema; neruoko rwavo rwerudyi rwuri ruoko rwerudyi rwemanyepo.
  16430. Psa 144:9 Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; pamutengeranwa une hungiso gumi ndichakuimbirai rumbidzo.
  16431. Psa 144:10 Iye anopa madzimambo rununuro, anosunungura Dhavhidhi muranda wake kubva pamunondo unokuvadza.
  16432. Psa 144:11 Ndisunungurei, mugondinunura kubva paruoko rwevana vemutorwa, avo muromo wavo wakataura zvisina maturo, neruoko rwavo rwerudyi rwuri ruoko rwerudyi rwenhema.
  16433. Psa 144:12 Kuti vanakomana vedu vave sezvirimwa zvinokura paudiki hwazvo; vanasikana vedu semambwe ekona akavezwa, mufananidzo wemuzinda wamambo.
  16434. Psa 144:13 Matura edu azare achibudisa marudzi nemarudzi; makwai edu abereke zvuru, apamhidzire zvuru gumi kumafuro edu.
  16435. Psa 144:14 Nzombe dzedu dzitakudzwe; pasava nekupazira mukati, uye pasava nekubuda, uye hapangavi nemariro panzira dzedu dzemumisha.
  16436. Psa 144:15 Vanofara vanhu vane zvakadai; vanofara vanhu, Mwari wavo ari Jehovha.
  16437. Psa 145:0 Rwiyo rwekurumbidza rwaDhavhidhi.
  16438. Psa 145:1 Ndichakusimudzirai, Mwari wangu, Mambo; nekurumbidza zita renyu kusvika rinhi narinhi.
  16439. Psa 145:2 Ndichakurumbidzai nezuva rimwe nerimwe, nekukudza zita renyu kusvika rinhi narinhi.
  16440. Psa 145:3 Jehovha mukuru, uye anorumbidzwa kwazvo; uye ukuru hwake haunganzverwi.
  16441. Psa 145:4 Rudzi nerudzi rwucharumbidza mabasa enyu, uye vachadudzira zviito zvenyu zvine simba.
  16442. Psa 145:5 Ndichataura rukudzo rwekubwinya rweumambo hwenyu, nemabasa enyu anoshamisa.
  16443. Psa 145:6 Zvino vachataura zviito zvenyu zvinotyisa, uye ndicharondedzera ukuru hwenyu.
  16444. Psa 145:7 Vachareva chirangaridzo chekuwanda kweukuru hwenyu, nekuimbira kururama kwenyu.
  16445. Psa 145:8 Jehovha ane nyasha netsitsi, anononoka kutsamwa, uye mukuru patsitsi.
  16446. Psa 145:9 Jehovha wakanaka kune vose; uye tsitsi dzake dziri pamusoro pemabasa ake ose.
  16447. Psa 145:10 Mabasa enyu ose achakurumbidzai Jehovha; nevatsvene venyu vachakurumbidzai.
  16448. Psa 145:11 Vachataura kubwinya kweushe hwenyu, nekutaura simba renyu.
  16449. Psa 145:12 Kuti vazivise vanakomana vevanhu mabasa ake ane simba, nekubwinya kweumambo hweushe hwake.
  16450. Psa 145:13 Ushe hwenyu ushe hwekusingaperi kose, neumambo hwenyu huchagara kuzera rose nezera.
  16451. Psa 145:14 Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamira pasi.
  16452. Psa 145:15 Meso evose anotarira kwamuri; nemwi munovapa zvekudya zvavo panguva yakafanira.
  16453. Psa 145:16 Munozarura ruoko rwenyu, ndokugutisa chishuwo chechipenyu chimwe nechimwe.
  16454. Psa 145:17 Jehovha wakarurama panzira dzake dzose, uye ane nyasha pamabasa ake ose.
  16455. Psa 145:18 Jehovha ari pedo nevose vanomudana, kune vose vanodana kwaari muchokwadi.
  16456. Psa 145:19 Achaita chishuwo chevanomutya, uye anonzwa kuchema kwavo, ndokuvaponesa.
  16457. Psa 145:20 Jehovha anochengetedza vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.
  16458. Psa 145:21 Muromo wangu uchataura rumbidzo yaJehovha, nenyama yose ichavonga zita rake dzvene kusvika rinhi narinhi.
  16459. Psa 146:1 Hareruya! Rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu.
  16460. Psa 146:2 Ndicharumbidza Jehovha muupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu rumbidzo ndichiripo.
  16461. Psa 146:3 Regai kuvimba nemachinda, nemwanakomana wemunhu, kwaari hakuna ruponeso.
  16462. Psa 146:4 Mweya wake unobuda, unodzokera muvhu rake; nezuva iro mazano ake anopera.
  16463. Psa 146:5 Wakaropafadzwa iye ana Mwari waJakove kuti ave mubatsiri wake; tariro yake iri pana Jehovha Mwari wake.
  16464. Psa 146:6 Iye wakaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mukati mazvo; anochengeta chokwadi kusvika rinhi narinhi.
  16465. Psa 146:7 Anoitira vanomanikidzwa mutongo wakarurama; anopa zvekudya kune vane nzara; Jehovha anosunungura vasungwa.
  16466. Psa 146:8 Jehovha anosvinudza mapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama.
  16467. Psa 146:9 Jehovha anochengeta vatorwa; anotsigira nherera nechirikadzi; asi nzira yevakaipa anoipidigura.
  16468. Psa 146:10 Jehovha achatonga kusvika rinhi narinhi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvika kuzera nezera. Rumbidzai Jehovha!
  16469. Psa 147:1 Hareruya; nokuti zvakanaka kuimbira Mwari wedu rumbidzo; nokuti zvinofadza, rumbidzo yakafanira.
  16470. Psa 147:2 Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.
  16471. Psa 147:3 Anoporesa vane moyo yakaputsika, uye anosunga mavanga avo.
  16472. Psa 147:4 Anoverenga uwandu hwenyeredzi; anodzidana dzose nemazita.
  16473. Psa 147:5 Ishe wedu mukuru, uye ndewe simba guru; kunzwisisa kwake hakuverengeki.
  16474. Psa 147:6 Jehovha anosimudzira vanyoro, anoderedza vakaipa kusvika pavhu.
  16475. Psa 147:7 Imbirai Jehovha nekuvonga; imbirai Mwari wedu rumbidzo nembira.
  16476. Psa 147:8 Iye anofukidza matenga nemakore; anogadzirira nyika mvura; anomeresa uswa pamakomo.
  16477. Psa 147:9 Anopa kuzvipfuwo zvekudya zvazvo, kumanyana emakunguvo anochema.
  16478. Psa 147:10 Haafari nesimba rebhiza; haafadzwi nemakumbo emunhu.
  16479. Psa 147:11 Jehovha anofadzwa nevanomutya, nevanomirira tsitsi dzake.
  16480. Psa 147:12 Rumbidza Jehovha, iwe Jerusarema; kudza Mwari wako, iwe Ziyoni.
  16481. Psa 147:13 Nokuti wakasimbisa mazariro emasuwo ako; wakaropafadza vana vako mukati mako.
  16482. Psa 147:14 Anoita rugare pamuganhu wako; anokugutisa nemafuta egorosi.
  16483. Psa 147:15 Anotuma chirevo chake panyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.
  16484. Psa 147:16 Anopa magada echando semakushe emakwai; anoparadzira chando semadota.
  16485. Psa 147:17 Anokanda chimvuramabwe chake semisuva; ndiani angamira pamberi pechando chake?
  16486. Psa 147:18 Anotuma shoko rake ndokuzvinyausa; anovhuvhutisa mhepo yake, mvura zhinji ndokuyerera.
  16487. Psa 147:19 Anozivisa mashoko ake kuna Jakove, zvimiso zvake nemitongo yake kuna Israeri.
  16488. Psa 147:20 Haana kuitira rumwe rudzi saizvozvo; kana iri mitongo, havana kuiziva. Rumbidzai Jehovha!
  16489. Psa 148:1 Hareruya! Rumbidzai Jehovha muri kumatenga; murumbidzei panzvimbo dzepamusoro.
  16490. Psa 148:2 Murumbidzei imwi vatumwa vake mose; murumbidzei imwi hondo dzake mose.
  16491. Psa 148:3 Murumbidzei imwi zuva nemwedzi; murumbidzei imwi nyeredzi dzose dzechiedza.
  16492. Psa 148:4 Murumbidzei imwi matenga ematenga, nemwi mvura dziri pamusoro pematenga.
  16493. Psa 148:5 Ngazvirumbidze zita raJehovha; nokuti iye wakaraira, izvo ndokusikwa.
  16494. Psa 148:6 Zvino wakavasimbisa kusvika rinhi narinhi; akapa chimiso chisingadariki.
  16495. Psa 148:7 Rumbidzai Jehovha muri panyika, imwi mabukanana, neudziku ukuru hwose,
  16496. Psa 148:8 moto, nechimvuramabwe, magada echando, neutsi hwemvura, chamupupuri chinoita inzwi rake,
  16497. Psa 148:9 makomo, nemikwidza yose, miti yemichero, nemisidhari yose,
  16498. Psa 148:10 mhuka dzesango, nezvipfuwo zvose, zvinhu zvinokambaira, neshiri dzinobhururuka,
  16499. Psa 148:11 madzimambo epanyika, nemarudzi ose, machinda, nevatongi vose vepanyika,
  16500. Psa 148:12 majaya, nevasikanawo, vatana, nevadiki.
  16501. Psa 148:13 Ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakwirira; umambo hwake huri pamusoro pepasi nepamatenga.
  16502. Psa 148:14 Zvino wakasimudzira runyanga rwevanhu vake, rumbidzo yevatsvene vake vose, pavana vaIsraeri, rudzi rwuri pedo naye. Rumbidza Jehovha!
  16503. Psa 149:1 Hareruya! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yevatsvene.
  16504. Psa 149:2 Israeri ngaafarire muiti wake; vana veZiyoni ngavafare naMambo wavo.
  16505. Psa 149:3 Ngavarumbidze zita rake mukutamba; ngavamuimbire rumbidzo nengoma nembira.
  16506. Psa 149:4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; achashongedza vanyoro neruponeso.
  16507. Psa 149:5 Vatsvene ngavafare nerumbidzo, ngavaimbe nemufaro pamibhedha yavo.
  16508. Psa 149:6 Rumbidzo dzaMwari ngadzive pahuro dzavo, nemunondo unocheka mativi maviri paruoko rwavo;
  16509. Psa 149:7 kuita tsivo kuvahedheni, mirango pamusoro pemarudzi;
  16510. Psa 149:8 kusunga madzimambo avo neketani, nevanokudzwa vavo nezvisungo zvematare;
  16511. Psa 149:9 kuvaitira mutongo wakanyorwa. Rukudzo urwu kuvatsvene vake vose. Rumbidzai Jehovha!
  16512. Psa 150:1 Hareruya! Rumbidzai Mwari panzvimbo yake tsvene; murumbidzei muchadenga chesimba rake.
  16513. Psa 150:2 Murumbidzei nekuda kwezviito zvake zvine simba; murumbidzei zvinoenderana neuwandu hweukuru hwake.
  16514. Psa 150:3 Murumbidzei nekuridzwa kwehwamanda; murumbidzei nemitengeranwa nembira.
  16515. Psa 150:4 Murumbidzei nengoma nekutamba; murumbidzei nezviridzwa zvine hungiso nenyere.
  16516. Psa 150:5 Murumbidzei nemakandira anorira; murumbidzei nemakandira anorira zvikuru.
  16517. Psa 150:6 Chose chine mweya wekufema ngachirumbidze Jehovha. Rumbidzai Jehovha
  16518. Pro 1:1 Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri;
  16519. Pro 1:2 kuziva uchenjeri nekurairirwa; kunzwisisa mashoko enjere;
  16520. Pro 1:3 kugamuchira kurairwa kweuchenjeri, kururama, nemutongo, nekuenzanisira;
  16521. Pro 1:4 kupa vasina ruzivo uchenjeri, zivo nekungwara kujaya.
  16522. Pro 1:5 Wakachenjera achanzwa agowedzera kudzidza; newenjere achawana mazano;
  16523. Pro 1:6 kunzwisisa chirevo nedudziro, mashoko evakachenjera nezvirabwe zvavo.
  16524. Pro 1:7 Kutya Jehovha ndiko kuvamba kweruzivo; mapenzi anozvidza uchenjeri nekurairirwa.
  16525. Pro 1:8 Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; uye usasiya murairo wamai vako.
  16526. Pro 1:9 Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, neuketani pamutsipa pako.
  16527. Pro 1:10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usatenda.
  16528. Pro 1:11 Kana vachiti: Hande nesu, ngativandire ropa. Ngativandire vasina mhosva pasina mhaka.
  16529. Pro 1:12 Ngativamedze vari vapenyu seguva, uye vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.
  16530. Pro 1:13 Tichawana fuma yose inokosha; tichazadza dzimba dzedu nezvakapambiwa.
  16531. Pro 1:14 Kanda mujenya wako pakati pedu; tose tichava nechikwama chimwe.
  16532. Pro 1:15 Mwanakomana wangu, usafamba mumugwagwa pamwe navo; dzora rutsoka rwako pagwara ravo.
  16533. Pro 1:16 Nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira kuchakaipa; uye vanokurumidza kuteura ropa.
  16534. Pro 1:17 Zvirokwazvo mumbure unodzikirwa pasina kushiri dzemarudzi ose dzichizviona.
  16535. Pro 1:18 Zvino ivo vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira upenyu hwavo.
  16536. Pro 1:19 Dzakadaro nzira dzeumwe neumwe anowana mubereko nekupamba; dzinotora upenyu hwevaridzi vadzo.
  16537. Pro 1:20 Uchenjeri ukuru hunodanidzira panze; hunobudisa inzwi rahwo panhandare.
  16538. Pro 1:21 Hunodana panzvimbo dzinokosha dzekuungana; pamukova wemasuwo, paguta hunotaura mashoko ahwo, huchiti:
  16539. Pro 1:22 Kusvika rinhi, imwi vasina ruzivo, muchida kusava neruzivo, nevaseki vachifara mukuseka kwavo, uye mapenzi achivenga ruzivo?
  16540. Pro 1:23 Dzokerai pakutsiura kwangu; tarirai, ndichadururira mweya wangu kwamuri; ndichakuzivisai mashoko angu.
  16541. Pro 1:24 Nokuti ndakadana, asi makaramba; ndakatandavadza ruoko rwangu, asi hakuna wakava nehanya;
  16542. Pro 1:25 asi makazvidza zano rangu rose, uye hamuna kubvuma kutsiura kwangu;
  16543. Pro 1:26 iniwo ndichaseka padambudziko renyu; ndichanyomba pakusvika kwekutya kwenyu.
  16544. Pro 1:27 Pakusvika kwekutya kwenyu sedutu remhepo, nedambudziko renyu risvike sechamupupuri; kana pamuri pachisvika marwadzo nekushungurudzika;
  16545. Pro 1:28 ipapo vachandidana asi handipinduri; vachanditsvaka kwazvo asi havangandiwani;
  16546. Pro 1:29 nekuda kwekuti vakavenga ruzivo; nekutya Jehovha havana kusarudza.
  16547. Pro 1:30 Havana kubvuma zano rangu; vakazvidza kutsiura kwangu kose.
  16548. Pro 1:31 Zvino vachadya zvezvibereko zvenzira yavo, uye vachagutiswa nemazano avo.
  16549. Pro 1:32 Nokuti kudzokera kwevasina ruzivo kuchavauraya, uye kugadzikana kwemapenzi kuchavaparadza.
  16550. Pro 1:33 Asi anonditeerera achagara akachengetedzeka, achagadzikana pakutya chakaipa.
  16551. Pro 2:1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nekuchengeta mirairo yangu kwauri;
  16552. Pro 2:2 kuti uteererese nzeve yako kuuchenjeri, nekutandavadzira moyo wako kuhunzwisisa;
  16553. Pro 2:3 hongu, kana ukachemera kunzwisisa, kuti upe inzwi rako kuuchenjeri;
  16554. Pro 2:4 kana ukahutsvaka sesirivha, nekuhutsvakisisa sezvinokosha zvakavanzwa;
  16555. Pro 2:5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nekuwana ruzivo rwaMwari.
  16556. Pro 2:6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda ruzivo nekunzwisisa.
  16557. Pro 2:7 Unochengetera vakarurama uchenjeri chaihwo; ndiye nhovo yevanofamba muchokwadi;
  16558. Pro 2:8 kuchengeta makwara emutongo; uye achachengetedza nzira yevatsvene vake.
  16559. Pro 2:9 Ipapo uchanzwisisa kururama, nemutongo, nekutendeka kukuru, nzira yose yakanaka.
  16560. Pro 2:10 Panenge papinda uchenjeri mumoyo mako, neruzivo rwuchifadza kumweya weupenyu wako;
  16561. Pro 2:11 kungwara kuchakuchengetedza, ruzivo rwuchakuchengeta;
  16562. Pro 2:12 kukununura panzira yakaipa, pamunhu anotaura zvinhu zvisakarurama;
  16563. Pro 2:13 vanosiya makwara ekururama, kuti vafambe nenzira dzerima;
  16564. Pro 2:14 vanofarira kuita zvakaipa, vanopembera pakutsauka kukuru kwewakaipa;
  16565. Pro 2:15 vemakwara avo akakombama, uye vanominama panzira dzavo;
  16566. Pro 2:16 kukununura pamukadzi wekumwe, kumukadzi mutorwa, anonyengera nemashoko ake.
  16567. Pro 2:17 Iye anosiya shamwari yeudiki hwake, achikanganwa sungano yaMwari wake.
  16568. Pro 2:18 Nokuti imba yake inonyura kurufu, nemakwara ake kuvakafa.
  16569. Pro 2:19 Hapana anopinda kwaari anozodzoka; uye havangananaviri kunzira dzeupenyu.
  16570. Pro 2:20 Kuti ufambe nenzira yevakanaka, uye uchengete makwara evakarurama.
  16571. Pro 2:21 Nokuti vakarurama vachagara panyika, uye vakakwana vachasara pairi.
  16572. Pro 2:22 Asi vakaipa vachagurwa kubva panyika; nevasakavimbika vadzurwe kubva pairi.
  16573. Pro 3:1 Mwanakomana wangu, usakanganwa murairo wangu; asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu.
  16574. Pro 3:2 Nokuti zvichawedzera kwauri kureba kwemazuva, nemakore eupenyu, nerugare.
  16575. Pro 3:3 Rudo nekuvimbika ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako; uzvinyore pahwendefa remoyo wako.
  16576. Pro 3:4 Saizvozvo uchawana nyasha neuchenjeri hwakanaka pameso aMwari nevanhu.
  16577. Pro 3:5 Vimba naJehovha nemoyo wako wose; uye urege kusendama pakunzwisisa kwako.
  16578. Pro 3:6 Umutende panzira dzako dzose; iye agoruramisa makwara ako.
  16579. Pro 3:7 Usava wakachenjera pameso ako; itya Jehovha, uye ubve pane chakaipa.
  16580. Pro 3:8 Zvichava kurapiwa kwerukuvhute rwako, nezvinwiwa zvemapfupa ako.
  16581. Pro 3:9 Kudza Jehovha nefuma yako, uye nezvibereko zvekutanga zvegoho rako rose.
  16582. Pro 3:10 Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, uye makate ako achapfachuka newaini itsva.
  16583. Pro 3:11 Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; uye usasemeswa nekutsiura kwake.
  16584. Pro 3:12 Nokuti waanoda Jehovha anomutsiura, uye sezvinoita baba mwanakomana wavanofarira.
  16585. Pro 3:13 Wakaropafadzwa munhu awana uchenjeri, nemunhu anowana kunzwisisa.
  16586. Pro 3:14 Nokuti kuwanikwa kwahwo kwakanaka kupfuura kuwanikwa kwesirivha; uye kuwanikwa kwahwo kupfuura goridhe.
  16587. Pro 3:15 Hunokosha kupfuura mabwe anokosha; uye zvose zvaungashuva hazvingaenzaniswi nahwo.
  16588. Pro 3:16 Kureba kwemazuva kuri muruoko rwake rwerudyi; muruoko rwake rweruboshwe mune fuma nerukudzo.
  16589. Pro 3:17 Nzira dzahwo inzira dzemufaro; nemakwara ahwo ese ndeerugare.
  16590. Pro 3:18 Ndihwo muti weupenyu kune vanohubata; uye umwe neumwe anohubatirira wakaropafadzwa.
  16591. Pro 3:19 Jehovha wakateya nyika neuchenjeri; wakamisa matenga nenjere.
  16592. Pro 3:20 Neruzivo rwake udziku ukuru hwakapamuka; uye makore akadonha dova.
  16593. Pro 3:21 Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; chengetedza uchenjeri chaihwo nekungwara.
  16594. Pro 3:22 Zvino zvichava upenyu hwemweya wako, nenyasha pamutsipa wako.
  16595. Pro 3:23 Ipapo uchafamba nenzira yako wakachengetedzeka; uye rutsoka rwako harungagumburwi.
  16596. Pro 3:24 Kana uchirara pasi haungatyi; hongu ucharara, uye hope dzako dzichatapira.
  16597. Pro 3:25 Usatya chivhunduso pakarepo, kana zvekuparadzwa kwevakaipa kana kuchisvika.
  16598. Pro 3:26 Nokuti Jehovha achava nechivimbo chako; uye achachengetedza rutsoka rwako kuti rwusabatwa.
  16599. Pro 3:27 Usanyima chakanaka kuvaridzi vacho, kana zviri musimba reruoko rwako kuzviita.
  16600. Pro 3:28 Usati kune wekwako: Enda, ugodzoka, zvino mangwana ndichakupa; kana unazvo.
  16601. Pro 3:29 Usarongera wekwako zvakaipa, nokuti iye agere akadekara newe.
  16602. Pro 3:30 Usapikisana nemunhu pasina chikonzero, kana asina kukuitira zvakaipa.
  16603. Pro 3:31 Usagodora munhu anoita chisimba; uye usasarudza imwe yenzira dzake.
  16604. Pro 3:32 Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; asi chakavanzika chake chiri kune vakarurama.
  16605. Pro 3:33 Chakatukwa chaJehovha chiri mumba mewakaipa; asi anoropafadza ugaro hwevakarurama.
  16606. Pro 3:34 Zvirokwazvo iye anoseka vaseki, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
  16607. Pro 3:35 Vakachenjera vachagara nhaka yerukudzo; asi mapenzi mugove wavo chinyadzo.
  16608. Pro 4:1 Inzwai, vana, murairo wababa; uye muchenjerere kuti muzive kunzwisisa.
  16609. Pro 4:2 Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; regai kusiya murairo wangu.
  16610. Pro 4:3 Nokuti ndaiva ndiri mwanakomana kuna baba vangu, ndakapfava, ndiri ndoga pamberi pamai vangu.
  16611. Pro 4:4 Zvino vakandirairidza ndokuti kwandiri: Moyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirairo yangu ugorarama.
  16612. Pro 4:5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa uye usatendeuka kubva pamashoko emuromo wangu.
  16613. Pro 4:6 Usahusiya, uye huchakuchengetedza; uhude, zvino huchakurinda.
  16614. Pro 4:7 Chekutanga uchenjeri; wana uchenjeri, uye nezvawawana zvose wana kunzwisisa.
  16615. Pro 4:8 Uhukudze, zvino huchakukwiridzira; huchakuvigira rukudzo kana uchihumbundikira.
  16616. Pro 4:9 Huchapa musoro wako chishongo chenyasha, huchakuvigira korona inobwinya.
  16617. Pro 4:10 Inzwa, mwanakomana wangu, uye gamuchira mashoko angu; zvino makore eupenyu hwako achava mazhinji.
  16618. Pro 4:11 Ndakakudzidzisa panzira yeuchenjeri; ndakakufambisa pamakwara ekururama.
  16619. Pro 4:12 Kana uchifamba nhanho yako haingambandidzirwi; uye kana uchimhanya haungagumburwi.
  16620. Pro 4:13 Batirira pakurairwa; usaregedza; ukuchengete, nokuti ndiko upenyu hwako.
  16621. Pro 4:14 Usapinda pagwara revakaipa, uye usafamba munzira yevakaipa.
  16622. Pro 4:15 Uinzvenge, usapfuura nemairi; tsauka pairi ugopfuura.
  16623. Pro 4:16 Nokuti havarari kana vasina kuita chakaipa; uye hope dzavo dzinobviswa kana vasina kugumbura munhu.
  16624. Pro 4:17 Nokuti vanodya zvekudya zvezvakaipa, nekunwa waini yezvechisimba.
  16625. Pro 4:18 Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya, chinofamba chichipenya kusvika pamasikati makuru.
  16626. Pro 4:19 Nzira yevakaipa yakaita serima; havazivi kuti vachagumburwa nei.
  16627. Pro 4:20 Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; uise nzeve yako pakutaura kwangu.
  16628. Pro 4:21 Ngazvirege kupukunyuka kubva pameso ako; uzvichengete mukati memoyo wako.
  16629. Pro 4:22 Nokuti ndihwo upenyu kune vanoawana, neutano kumuviri wavo wose.
  16630. Pro 4:23 Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinochengetedzwa; nokuti mauri munobva kubuda kukuru kweupenyu.
  16631. Pro 4:24 Bvisa kwauri kutsauka kwemuromo; uye kukombama kwemiromo isa kure newe.
  16632. Pro 4:25 Meso ako ngaatarise mberi; nemafunhiro emeso ako arurame pamberi pako.
  16633. Pro 4:26 Gadzira gwara rerutsoka rwako; uye nzira dzako dzose dzisimbe.
  16634. Pro 4:27 Usarerekera kurudyi kana kuruboshwe; dzora rutsoka rwako pane zvakaipa.
  16635. Pro 5:1 Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu; isa nzeve yako pakunzwisisa kwangu;
  16636. Pro 5:2 kuti uchenjerere mifungo, nemiromo yako ichengetedze ruzivo.
  16637. Pro 5:3 Nokuti miromo yemukadzi wekumwe inodonha uchi; uye muromo wake unotedza kupfuura mafuta.
  16638. Pro 5:4 Asi kuguma kwake kunovava segavakava, kunopinza semunondo unocheka mativi maviri.
  16639. Pro 5:5 Tsoka dzake dzinoburukira kurufu; nhanho dzake dzinobatirira mugehena.
  16640. Pro 5:6 Zvimwe uenzanise gwara reupenyu, nzira dzake dzinotsveyama, haazvizivi.
  16641. Pro 5:7 Naizvozvo imwi vana, teererai kwandiri, uye musatsauka pamashoko emuromo wangu.
  16642. Pro 5:8 Sudurusira nzira yako kure naye; uye usaswedera pamukova weimba yake.
  16643. Pro 5:9 Zvimwe ungapa rukudzo rwako kune vamwe, nemakore ako kune ane utsinye.
  16644. Pro 5:10 Zvimwe vatorwa vangazvigutsa nesimba rako, nezvawakatamburira zvive mumba memutorwa.
  16645. Pro 5:11 Zvino ucharira pakupedzisira kwako, kana nyama yako nemuviri wako zvaparadzwa.
  16646. Pro 5:12 Zvino uchati: Ndakavenga sei kurairirwa, uye moyo wangu wakashora kutsiurwa!
  16647. Pro 5:13 Handinawo kunzwa inzwi revadzidzisi vangu, uye handina kurerekera nzeve yangu kune vaindirairidza!
  16648. Pro 5:14 Ndakapotsa ndava mune zvakaipa zvose, mukati mechaunga nesangano.
  16649. Pro 5:15 Inwa mvura padziva rako, nemvura inoyerera kubva mukati metsime rako.
  16650. Pro 5:16 Zvitubu zvako ngazvipararire kunze, nzizi dzemvura padzinhandare.
  16651. Pro 5:17 Ngazvive zvako woga, uye zvisava zvevatorwa pamwe newe.
  16652. Pro 5:18 Chitubu chako ngachiropafadzwe; uye ufarire mukadzi weudiki hwako.
  16653. Pro 5:19 Nondokadzi inodikanwa kwazvo, nengururu hadzi inoyevedza; mazamu ake ngaakugutse nguva dzose; ugare uchitenderedzwa nerudo rwake nekusingaperi.
  16654. Pro 5:20 Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchadzungaidzirwei nemukadzi wekumwe, nekumbundikira chipfuva chemukadzi mutorwa?
  16655. Pro 5:21 Nokuti nzira dzemunhu dziri pamberi pemeso aJehovha; uye ndiye anoenzanisa makwara ake ose.
  16656. Pro 5:22 Zvivi zvake wakaipa zvichamubata, uye achabatwa nemabote echivi chake.
  16657. Pro 5:23 Iye achafa nekusarairwa; uye achatsauka neukuru hweupenzi hwake.
  16658. Pro 6:1 Mwanakomana wangu, kana uri chibatiso cheumwe wako, wakarovera mutorwa ruoko rwako;
  16659. Pro 6:2 wateyiwa nemashoko emuromo wako; wakabatwa nemashoko emuromo wako.
  16660. Pro 6:3 Ita izvi ikozvino, mwanakomana wangu, uzvinunure, sezvo wauya muruoko rweumwe wako: Enda, uzvininipise, ugogombetedza umwe wako.
  16661. Pro 6:4 Usapa meso ako hope, nekutsumwaira kumafunhiro emeso ako.
  16662. Pro 6:5 Uzvinunure semhara paruoko rwemuvhimi, uye seshiri paruoko rwemuteyi weshiri.
  16663. Pro 6:6 Enda kumujuru, iwe simbe; ona nzira dzawo ugochenjera!
  16664. Pro 6:7 Unoti, usina mutungamiriri, mutariri, nemutongi,
  16665. Pro 6:8 unogadzira chingwa chawo muzhizha, unounganidza zvekudya zvawo mukukohwa.
  16666. Pro 6:9 Kusvika rinhi, iwe simbe, wakarara? Uchamuka rinhi pahope dzako?
  16667. Pro 6:10 Dzihope shomanene, kutsumwaira tsumwaira kushomanene, kumbofungatira maoko kushomanene, kuti urare,
  16668. Pro 6:11 ipapo urombo hwako hunosvika semufambi, nekushaiwa kwako semunhu wakashonga zvombo.
  16669. Pro 6:12 Munhu asina maturo, murume wezvakaipa, anofamba nemuromo wakatsauka;
  16670. Pro 6:13 anobwaira nemeso ake, achitaura netsoka dzake, achirairidza neminwe yake.
  16671. Pro 6:14 Kudarika kukuru kuri mumoyo make; achironga zvakaipa nenguva dzose, anokanda kupesana kukuru.
  16672. Pro 6:15 Naizvozvo nekukurumidza dambudziko rake rinosvika; pakarepo achavhuniwa, kusvika pasina kurapika.
  16673. Pro 6:16 Zvitanhatu izvi Jehovha wakavenga; zvirokwazvo, zvinomwe zvinyangadzo zvemweya weupenyu wake:
  16674. Pro 6:17 Meso anozvikudza, rurimi rwunoreva nhema, nemaoko anodurura ropa risina mhosva,
  16675. Pro 6:18 moyo unoronga mazano ezvisina maturo, tsoka dzinokurumidza kumhanyira kune zvakaipa,
  16676. Pro 6:19 chapupu chenhema chinofema nhema, uye anokanda mhesano pakati pehama.
  16677. Pro 6:20 Mwanakomana wangu, chengeta murairo wababa vako; uye usasiya murau wamai vako.
  16678. Pro 6:21 Uzvisungire pamoyo wako nguva dzose; uzvimonere pamutsipa wako.
  16679. Pro 6:22 Pakufamba-famba kwako uchakutungamirira; pakurara kwako uchakurinda; pakumuka kwako iwo uchataura newe.
  16680. Pro 6:23 Nokuti murairo mwenje; uye murau chiedza; uye kutsiura kuzhinji kwekuraira inzira yeupenyu;
  16681. Pro 6:24 kuti zvikuchengete pamukadzi wakaipa, pamashoko ekubata kumeso erurimi rwemukadzi mutorwa.
  16682. Pro 6:25 Usashuva kunaka kwake mumoyo mako; uye ngaarege kukutora nemafunhiro emeso ake.
  16683. Pro 6:26 Nokuti nekuda kwemukadzi chifeve ungasvika pachimedu chechingwa; uye mukadzi wemunhu anovhima mweya unokosha.
  16684. Pro 6:27 Munhu ungatora moto kuisa muchipfuva chake, nguvo dzake ndokusatsva here?
  16685. Pro 6:28 Munhu angafamba pamazimbe anopiswa, tsoka dzake ndokusapiswa here?
  16686. Pro 6:29 Wakadaro uyo anopinda kumukadzi wewekwake; ani nani anomubata haangavi asina mhosva.
  16687. Pro 6:30 Havangazvidzi mbavha kana ichiba kuti izadze mweya weupenyu wayo kana ine nzara.
  16688. Pro 6:31 Kana akawanikwa anoripa kakapetwa kanomwe; anopa fuma yose yeimba yake.
  16689. Pro 6:32 Anoita upombwe nemukadzi anoshaiwa njere; anoita izvi ndiye anoparadza mweya weupenyu wake.
  16690. Pro 6:33 Achawana shamhu nekuzvidzwa; uye kunyadziswa kwake hakungapusikwi.
  16691. Pro 6:34 Nokuti godo ihasha dzemurume; naizvozvo haangavi netsitsi nezuva retsivo.
  16692. Pro 6:35 Haangavi nehanya nemuripo upi neupi; uye haangatendi kunyange ukawanza chipo.
  16693. Pro 7:1 Mwanakomana wangu, chengetedza mashoko angu, nemirairo yangu uvige kwauri.
  16694. Pro 7:2 Chengetedza mirairo yangu ugorarama, nemurau wangu semboni yemaziso ako.
  16695. Pro 7:3 Uzvisungire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa remoyo wako.
  16696. Pro 7:4 Uti kuuchenjeri: Uri hanzvadzi yangu; utumidze kunzwisisa kuti hama.
  16697. Pro 7:5 Kuti zvikuchengetedze pamukadzi wekumwe, pamukadzi mutorwa anobata kumeso nemashoko ake.
  16698. Pro 7:6 Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, pautanda hwehwindo rangu.
  16699. Pro 7:7 Zvino ndakaona pakati pevasina mano, ndikacherekedza pakati pevechidiki, jaya rakashaiwa njere;
  16700. Pro 7:8 richipfuura munhandare yemumusha pedo nekona yake, richifamba nenzira yeimba yake;
  16701. Pro 7:9 parubvunzavaeni, pamadekwani ezuva, parima reusiku kwakasviba.
  16702. Pro 7:10 Zvino tarira, mukadzi wakamuchingamidza, ane chipfeko chechifeve, neunyengeri pamoyo.
  16703. Pro 7:11 Ane ruzha, uye wakasindimara; tsoka dzake hadzigari mumba make.
  16704. Pro 7:12 Iyezvi ari panze, iyezvi ari munhandare dzemumusha, uye anovandira pakona imwe neimwe.
  16705. Pro 7:13 Zvino anoribata, ndokuritsvoda, ndokuomesa chiso chake, ndokuti kwariri:
  16706. Pro 7:14 Zvibairo zvezvipo zvekuyananisa zviri kwandiri; nhasi ndaripa mhiko dzangu.
  16707. Pro 7:15 Naizvozvo ndabuda kukuchingamidza, kutsvakisisa chiso chako; zvino ndakuwana.
  16708. Pro 7:16 Ndakawarira mubhedha wangu nemachira ane ukomba, micheka yakapfava ine mavara inobva Egipita.
  16709. Pro 7:17 Ndakasasa mubhedha wangu nemura, gavakava, nekinamoni.
  16710. Pro 7:18 Uya, tizvigutse nerudo rukuru kusvika mangwanani; tizvifadze nekudanana kukuru.
  16711. Pro 7:19 Nokuti murume haapo mumba make; wakafamba rwendo kure.
  16712. Pro 7:20 Wakatora hombodo yemari muruoko rwake; pazuva rejenaguru achadzoka kumba kwake.
  16713. Pro 7:21 Anoritsausa nekuwanda kwedzidziso yake; anorigombedzera nekubata kumeso kwemiromo yake.
  16714. Pro 7:22 Pakarepo rinomutevera senzombe ichienda kunobaiwa, uye seari muzvisungo kuenda pakurangwa;
  16715. Pro 7:23 kusvika museve watsemura chiropa chake; seshiri inokurumidzira kurudzingi, uye isina kuziva kuti rwunorwisa upenyu hwayo.
  16716. Pro 7:24 Naizvozvo ikozvino, imwi vana, inzwai kwandiri, muteerere kumashoko emuromo wangu.
  16717. Pro 7:25 Moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; usadzungaira mumakwara ake.
  16718. Pro 7:26 Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; nevose vakaurawa vake vakawanda.
  16719. Pro 7:27 Imba yake inzira dzegehena, dzinoburukira kumakamuri erufu.
  16720. Pro 8:1 Ko uchenjeri hahudanidziri here? Uye njere [ha]dzibudisi inzwi radzo here?
  16721. Pro 8:2 Humire panhongonya yenzvimbo dzakakwirira, panzira, pakati pedzinzira.
  16722. Pro 8:3 Hunodanidzira parutivi rwemasuwo, pamuromo peguta, pakupinda pamikova, huchiti:
  16723. Pro 8:4 Kwamuri, varume, ndinodana; uye inzwi rangu riri kuvanakomana vevanhu.
  16724. Pro 8:5 Nzwisisai uchenjeri, imwi vasina ruzivo; nemwi mapenzi, nzwisisai nemoyo.
  16725. Pro 8:6 Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zveumambo; uye kuzarurwa kwemiromo yangu kuchava kururama kukuru.
  16726. Pro 8:7 Nokuti muromo wangu unotaura chokwadi; uye uipi chinhu chinonyangadza pamiromo yangu.
  16727. Pro 8:8 Mashoko ose emuromo wangu ari mukururama; hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari.
  16728. Pro 8:9 Ose akachena kune ane njere; nekururama kune avo vakawana ruzivo.
  16729. Pro 8:10 Gamuchirai kudzidzisa kwangu, uye kwete sirivha; neruzivo kupfuura goridhe rakasarudzwa.
  16730. Pro 8:11 Nokuti uchenjeri huri nani pane zvibwe zvakanaka; uye zvose zvinoshuviwa hazvingaenzaniswi nahwo.
  16731. Pro 8:12 Ini uchenjeri ndinogara pamwe nekunzwisisa, uye ndinowana ruzivo nemazano.
  16732. Pro 8:13 Kutya Jehovha kuvenga uipi; ndinovenga kuzvikudza, nemanyawi, nenzira yakaipa, nemuromo wekutsauka kukuru.
  16733. Pro 8:14 Zano nderangu, neuchenjeri hwechokwadi; ndiri kunzwisisa, ndine simba.
  16734. Pro 8:15 Neni madzimambo anotonga, uye machinda anomisa kururama.
  16735. Pro 8:16 Neni madzishe anotonga, nevakuru, vatongi vose vepanyika.
  16736. Pro 8:17 Ini ndinoda vanondida; uye vanonditsvaka kwazvo vachandiwana.
  16737. Pro 8:18 Fuma nerukudzo zvineni, fuma inoenderera uye kururama.
  16738. Pro 8:19 Chibereko changu chiri nani pane goridhe, iro goridhe rakaisvonaka, nezvinowanikwa zvangu kupfuura sirivha yakasarudzwa.
  16739. Pro 8:20 Ndinofamba munzira yekururama, mukati memakwara ekururamisa,
  16740. Pro 8:21 kugarisa vadikanwa vangu nhaka yefuma, hongu, ndizadze zvivigiro zvefuma yavo.
  16741. Pro 8:22 Jehovha wakandiita wake, kutanga kwenzira yake, pamberi pemabasa ake, kubva ipapo.
  16742. Pro 8:23 Ndakagadzwa kubva rinhi narinhi, kubva pakutanga, kubva kumashure kwenyika.
  16743. Pro 8:24 Udziku ukuru husati hwavapo ndaiva ndaberekwa, pasati pava nezvitubu zvinorema nemvura.
  16744. Pro 8:25 Makomo asati adzvarwa, mikwidza isati yavapo, ndaiva ndaberekwa.
  16745. Pro 8:26 Asati aita nyika, nemapani, nekutanga kweguruva zhinji renyika.
  16746. Pro 8:27 Paaigadzira matenga ndaiva ndiripo, paaimisa chadenga pamusoro pechiso cheudziku;
  16747. Pro 8:28 paakamisa makore kumusoro, paakasimbisa zvitubu zveudziku;
  16748. Pro 8:29 paakamisira gungwa muganhu waro, kuti mvura isadarika murairo wake, paakagadza nheyo dzenyika;
  16749. Pro 8:30 ipapo ndaiva pedo naye, anorerwa naye; ndaiva mufaro mukuru zuva nezuva, ndichitamba pamberi pake nguva dzose;
  16750. Pro 8:31 ndichitamba padunhu renyika yake, uye mufaro wangu mukuru uri kuvanakomana vevanhu.
  16751. Pro 8:32 Zvino ikozvino, imwi vanakomana, teererai kwandiri; hongu, vakaropafadzwa vanochengetedza nzira dzangu.
  16752. Pro 8:33 Inzwai kuraira, muve vakachenjera, uye musaramba.
  16753. Pro 8:34 Wakaropafadzwa munhu anondinzwa, kuti arinde pamasuwo angu zuva nezuva, kumirira pamagwatidziro emukova angu.
  16754. Pro 8:35 Nokuti andiwana, awana upenyu, achagamuchira nyasha kuna Jehovha.
  16755. Pro 8:36 Asi anonditadzira, anokanganisira mweya weupenyu wake; vose vanondivenga vanoda rufu.
  16756. Pro 9:1 Uchenjeri ukuru hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
  16757. Pro 9:2 Hwakabaya mhuka dzahwo; hwakavhenganisa waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.
  16758. Pro 9:3 Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira panhongonya dzenzvimbo dzakakwirira dzeguta huchiti:
  16759. Pro 9:4 Ani nani asina ruzivo ngaatsaukire muno. Asina njere, hunoti kwaari:
  16760. Pro 9:5 Uyai mudye pachingwa changu, nekunwa pawaini yandakavhenganisa.
  16761. Pro 9:6 Regai vasina ruzivo mugorarama, uye mufambe munzira yekunzwisisa.
  16762. Pro 9:7 Anotsiura museki anozviwanira chinyadzo; nemutuki wewakaipa anozviwanira gwapa.
  16763. Pro 9:8 Rega kutsiura mutuki, zvimwe akuvenge; tsiura wakachenjera, zvino achakuda.
  16764. Pro 9:9 Ipa kune wakachenjera, zvino acharamba achichenjera; dzidzisa wakarurama, zvino achawedzera kudzidza.
  16765. Pro 9:10 Kutanga kweuchenjeri kutya Jehovha; uye ruzivo rwevatsvene kunzwisisa.
  16766. Pro 9:11 Nokuti neni mazuva ako achawanda, uye makore eupenyu achawedzera kwauri.
  16767. Pro 9:12 Kana wakachenjera, uchava wakazvichenjerera iwe; kana uri mutuki, uchazvitakura woga.
  16768. Pro 9:13 Mukadzi benzi ane ruzha, haana ruzivo, uye haazivi chinhu.
  16769. Pro 9:14 Zvino wakagara pamukova weimba yake, pachigaro cheushe panzvimbo dzakakwirira dzeguta,
  16770. Pro 9:15 kudana vanopfuura nenzira, vanofamba vakarurama nemakwara avo, achiti:
  16771. Pro 9:16 Ani nani asina ruzivo, ngaatendeukire kuno. Neanoshaiwa pfungwa, uti kwaari:
  16772. Pro 9:17 Mvura yabiwa inotapira, uye chingwa chechivande chinonaka.
  16773. Pro 9:18 Asi haazivi kuti vakafa vari ipapo. Vakakokwa vake vari munzvimbo dzakadzika dzegehena.
  16774. Pro 10:1 Zvirevo zvaSoromoni.
  16775. Pro 10:2 Fuma zhinji yezvakaipa haibatsiri; asi kururama kunonunura parufu.
  16776. Pro 10:3 Jehovha haaregi mweya weupenyu wewakarurama uchiva nenzara; asi anosundidzira chishuvo chevakaipa.
  16777. Pro 10:4 Anoshanda neruoko rwakaremberera anova murombo; asi ruoko rwevanoshingaira rwunofumisa.
  16778. Pro 10:5 Anounganidza muzhizha mwanakomana wakachenjera; asi anorara mukukohwa mwanakomana anonyadzisa.
  16779. Pro 10:6 Maropafadzo ari mumusoro mevakarurama; asi muromo wevakaipa unovanza kumanikidza.
  16780. Pro 10:7 Kurangarirwa kwewakarurama ndekweropafadzo; asi zita rewakaipa richaora.
  16781. Pro 10:8 Ane moyo wakachenjera anogamuchira mirairo; asi benzi pamiromo richawisirwa pasi.
  16782. Pro 10:9 Anofamba muchokwadi anofamba akachengeteka; asi anotsaudzira nzira dzake achazikanwa.
  16783. Pro 10:10 Anochonya ziso anouisa dambudziko; uye benzi pamiromo richawisirwa pasi.
  16784. Pro 10:11 Muromo wewakarurama chitubu cheupenyu; asi muromo wewakaipa unovanza kumanikidza.
  16785. Pro 10:12 Mbengo dzinomutsa gakava; asi rudo runofukidza zvitadzo zvose.
  16786. Pro 10:13 Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; asi shamhu pamusana weanoshaiwa njere.
  16787. Pro 10:14 Vakachenjera vanozvichengetera ruzivo; asi muromo webenzi uri pedo nekuparadzwa.
  16788. Pro 10:15 Fuma yemufumi iguta rake rakasimba; kuparara kwevarombo urombo hwavo.
  16789. Pro 10:16 Basa rewakarurama ndereupenyu; zvinobudiswa newakaipa ndezvechivi.
  16790. Pro 10:17 Anoteerera kurairirwa ari panzira yeupenyu; asi anosiya kutsiurwa anotsausa.
  16791. Pro 10:18 Anovanza kuvenga ndewemiromo yenhema; neanobudisa guhwa ibenzi.
  16792. Pro 10:19 Pauwandu hwemashoko kudarika hakudereri; asi anodzora miromo yake ane uchenjeri.
  16793. Pro 10:20 Rurimi rwewakarurama isirivha yakasarudzwa; moyo wevakaipa wakaita sechinhu chidiki.
  16794. Pro 10:21 Miromo yewakarurama inofunda vazhinji; asi mapenzi anofa nekushaiwa ruzivo.
  16795. Pro 10:22 Ropafadzo yaJehovha ndiyo inofumisa; uye haiwedzeri dambudziko kwahwuri.
  16796. Pro 10:23 Kubenzi kuita zvakaipa kwakaita sekutamba; hwakadaro uchenjeri kumunhu wekunzwisisa.
  16797. Pro 10:24 Izvo wakaipa zvaanotya zvichamusvikira; asi chishuvo chewakarurama chichapiwa.
  16798. Pro 10:25 Sekupfuura kwechamupupuri, wakadaro wakaipa haapo; asi wakarurama inheyo yekusingaperi.
  16799. Pro 10:26 Sevhininga pamazino, uye seutsi pameso, wakadaro ari simbe kune vanomutuma.
  16800. Pro 10:27 Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; asi makore evakaipa achapfupiswa.
  16801. Pro 10:28 Tariro yevakarurama mufaro; asi tarisiro yevakaipa ichaparara.
  16802. Pro 10:29 Nzira yaJehovha inhare kune wakarurama; asi kuparara kuvaiti vezvakaipa.
  16803. Pro 10:30 Wakarurama haazununguswi nekusingaperi; asi vakaipa havangagari panyika.
  16804. Pro 10:31 Muromo wewakarurama unobudisa uchenjeri; asi rurimi rwekutsauka kukuru rwuchagurwa.
  16805. Pro 10:32 Miromo yewakarurama inoziva chinhu chinofadza; asi muromo wewakaipa unoziva zvitadzo.
  16806. Pro 11:1 Chiyero chinonyengedzera chinyangadzo kuna Jehovha; asi dombo rekuyera rakakwana mufaro wake.
  16807. Pro 11:2 Kana kuzvikudza kuchisvika kunosvika nenyadzi; asi kune vanozvininipisa kune uchenjeri.
  16808. Pro 11:3 Uchokwadi hwewakarurama hunovatungamirira; asi kutsauka kwevanyengeri kuchavaparadza.
  16809. Pro 11:4 Fuma haibatsiri nezuva rehasha; asi kururama kunonunura parufu.
  16810. Pro 11:5 Kururama kwevakakwana kunoruramisa nzira yake; asi wakaipa anowa nekuipa kwake.
  16811. Pro 11:6 Kururama kwevari pachokwadi kunovanunura; asi vanonyengedzera vachabatwa muchishuvo chavo.
  16812. Pro 11:7 Kana munhu wakaipa achifa, tariro yake inoparara; uye tarisiro yevane simba inoparadzwa.
  16813. Pro 11:8 Wakarurama anonunurwa pakutambudzika; asi wakaipa anopinda pachinzvimbo chake.
  16814. Pro 11:9 Nemuromo munyepedzeri anoparadza wekwake; asi neruzivo vakarurama vachanunurwa.
  16815. Pro 11:10 Nebudiriro yevakarurama guta rinofara; uye pakuparara kwevakaipa kune mufaro.
  16816. Pro 11:11 Neropafadzo yevakarurama guta rinokudzwa; asi nemuromo wevakaipa rinoputswa.
  16817. Pro 11:12 Anoshaya ruzivo anozvidza wekwake; asi munhu anonzwisisa anonyarara.
  16818. Pro 11:13 Anofamba ane makuhwa anofukura zvakavanda; asi wakavimbika pamoyo anoviga nyaya.
  16819. Pro 11:14 Pasina mazano vanhu vanowa; asi kununurwa kuri muuwandu hwevapi vemazano.
  16820. Pro 11:15 Wakaita chibatiso pamutorwa achatambudzika zvakaipa; asi anovenga kuita chibatiso wakachengeteka.
  16821. Pro 11:16 Mukadzi ane nyasha anobata rukudzo; uye vane simba vanobata fuma.
  16822. Pro 11:17 Munhu ane tsitsi anoitira mweya weupenyu wake zvakanaka; asi ane utsinye anotambudza nyama yake.
  16823. Pro 11:18 Wakaipa anoita basa rekunyengera; asi anodzvara kururama ane mubairo wechokwadi.
  16824. Pro 11:19 Sezvo kururama kuri kweupenyu, zvakadaro anodzingirira chakaipa ndiko kufa kwake.
  16825. Pro 11:20 Vakatsauka pamoyo chinyangadzo kuna Jehovha; asi vakakwana panzira ndivo mufaro wake.
  16826. Pro 11:21 Ruoko muruoko wakaipa haangaregi kurangwa; asi mbeu yevakarurama ichapukunyuka.
  16827. Pro 11:22 Chindori chegoridhe mumhino yenguruve, wakadaro iye mukadzi wakanaka kumeso akatsauka papfungwa.
  16828. Pro 11:23 Chishuvo chevakarurama chakanaka chete; tariro yevakaipa ihasha.
  16829. Pro 11:24 Aripo anoparadzira asi zvizhinji zvichiwedzerwa; neanonyima kupfuura zvakafanira, koga kuti ashaiwe.
  16830. Pro 11:25 Mweya weupenyu unopavhurira uchakodzwa; uye anodiridza iye achadiridzwawo.
  16831. Pro 11:26 Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; asi ropafadzo ichava pamusoro pemusoro weanotengesa.
  16832. Pro 11:27 Anotsvakisisa zvakanaka, anotsvaka nyasha; asi anotsvaka zvakaipa, zvichauya kwaari.
  16833. Pro 11:28 Anovimba nefuma yake iye achawa; asi vakarurama vachatunga semashizha.
  16834. Pro 11:29 Anotambudza imba yake achagara nhaka yemhepo; uye benzi richava muranda wewakachenjera pamoyo.
  16835. Pro 11:30 Chibereko chevakarurama muti weupenyu; uye anowana mweya yeupenyu wakachenjera.
  16836. Pro 11:31 Tarirai, wakarurama achapiwa mubairo panyika; zvikuru sei wakaipa nemutadzi!
  16837. Pro 12:1 Anoda kurairirwa anoda ruzivo; asi anovenga kutsiurwa ibenzi.
  16838. Pro 12:2 Wakanaka anowana nyasha kuna Jehovha; asi anopa mhosva munhu wemazano akaipa.
  16839. Pro 12:3 Munhu haangamiswi neuipi; asi mudzi wevakarurama haungazununguswi.
  16840. Pro 12:4 Mukadzi anoshingairira zvakanaka ikorona yemurume wake; asi anonyadzisa wakaita sezvakaora pamapfupa ake.
  16841. Pro 12:5 Mirangariro yevakarurama yakarurama; mazano evakaipa unyengeri.
  16842. Pro 12:6 Mashoko evakaipa ndeekuvandira ropa; asi muromo wevakarurama uchavanunura.
  16843. Pro 12:7 Vakaipa vachaparadzwa, havachipo; asi imba yevakarurama ichamira.
  16844. Pro 12:8 Munhu acharumbidzwa zvichienderana neuchenjeri hwake; asi wakatsauka pamoyo achava wakazvidzwa.
  16845. Pro 12:9 Anozvidzwa ane muranda ari nani pane anozvikudza uye asina zvekudya.
  16846. Pro 12:10 Wakarurama anochenjerera upenyu hwechipfuwo chake; asi tsitsi dzevakaipa utsinye.
  16847. Pro 12:11 Anorima munda wake achaguta nezvekudya; asi anotevera zvisina maturo anoshaiwa pfungwa.
  16848. Pro 12:12 Wakaipa anoshuva zvakapambiwa zvevakaipa; asi mudzi wevakaipa unotunga.
  16849. Pro 12:13 Pakudarika kwemiromo pane musungo wewakaipa; asi wakarurama achabuda panhamo.
  16850. Pro 12:14 Munhu achagutiswa nezvakanaka nechibereko chemuromo; uye mubairo wemaoko emunhu uchadzoserwa kwaari.
  16851. Pro 12:15 Nzira yebenzi yakarurama pameso aro; asi anoteerera zano wakachenjera.
  16852. Pro 12:16 Benzi, pazuva iroro kutsamwa kwaro kunozikanwa; asi wakachenjera anovanza kunyadziswa.
  16853. Pro 12:17 Anofema chokwadi anozivisa kutendeka; asi mupupuri wenhema zhinji unyengeri.
  16854. Pro 12:18 Pane anotaura nekusarangarira wakaita sekubaya kukuru kwemunondo; asi rurimi rwevakachenjera kuporesa.
  16855. Pro 12:19 Muromo wechokwadi uchamiswa nekusingaperi; asi rurimi rwenhema nderwechinguvana.
  16856. Pro 12:20 Unyengeri huri mumoyo yevanoronga zvakaipa; asi mufaro kune vapi vemazano erugare.
  16857. Pro 12:21 Chakaipa chimwe hachingawiri vakarurama; asi vakaipa vazere uipi.
  16858. Pro 12:22 Miromo yenhema chinyangadzo kuna Jehovha; asi vanoita chokwadi ndivo mufaro wake.
  16859. Pro 12:23 Munhu wakachenjera anovanza ruzivo; asi moyo yemapenzi inoparidza upenzi.
  16860. Pro 12:24 Ruoko rwevanoshingaira rwunotonga; asi simbe dzichava dzechibharo.
  16861. Pro 12:25 Kushungurudzika mumoyo memunhu kunoukotamisa; asi shoko rakanaka rinoufadza.
  16862. Pro 12:26 Wakarurama muongorori wewekwake; asi nzira yevakaipa inovatsausa.
  16863. Pro 12:27 Simbe haigochi mhuka yayavhima; asi fuma yemunhu anoshingaira inokosha.
  16864. Pro 12:28 Mugwara rekururama mune upenyu; uye mugwara renzira hamuna rufu.
  16865. Pro 13:1 Mwanakomana wakachenjera [anoteerera] kuraira kwababa; asi muzvidzi haateereri kutsiurwa.
  16866. Pro 13:2 Munhu achadya zvakanaka kubva pachibereko chemuromo; asi mweya wevatsauki kumanikidza.
  16867. Pro 13:3 Anochengetedza muromo wake anochengeta mweya weupenyu wake; anoshamisa miromo yake kwazvo, kuparara kwaari.
  16868. Pro 13:4 Mweya weupenyu wesimbe unopanga, asi hapana chinhu; asi mweya wevanoshingaira unokodzwa.
  16869. Pro 13:5 Wakarurama anovenga shoko renhema; asi wakaipa anonhuhwa, achanyadzisa.
  16870. Pro 13:6 Kururama kunochengetedza wakakwana munzira; asi uipi hunoparadza mutadzi.
  16871. Pro 13:7 Aripo anozvifumisa asi haana chinhu; aripo anozviita murombo asi ane fuma zhinji.
  16872. Pro 13:8 Rudzikunuro rweupenyu hwemunhu ifuma yake; asi murombo haanzwi kutsiurwa.
  16873. Pro 13:9 Chiedza chevakarurama chinofara; asi mwenje wevakaipa uchadzimwa.
  16874. Pro 13:10 Kuzvikudza kunouisa gakava chete; asi uchenjeri huri kune vakarairwa.
  16875. Pro 13:11 Fuma kubva pasina ichatapudzwa; asi anounganidza neruoko anowedzera.
  16876. Pro 13:12 Tariro inononoka inoodza moyo; asi chishuvo chinouya muti weupenyu.
  16877. Pro 13:13 Anozvidza shoko achaparadzwa; asi anotya murairo ndiye achapiwa mubairo.
  16878. Pro 13:14 Dzidziso yewakachenjera chitubu cheupenyu, kuti ubve pamisungo yerufu.
  16879. Pro 13:15 Kunzwisisa kwakanaka kunopa nyasha; asi nzira yevasina kutendeka yakaoma.
  16880. Pro 13:16 Wose akachenjera anoita neruzivo; asi benzi rinoparadzira upenzi.
  16881. Pro 13:17 Nhume yakaipa inowira muchakaipa; asi mutumwa wekutendeka kukuru anoporesa.
  16882. Pro 13:18 Urombo nenyadzi ndezveanoramba kudzidziswa; asi anochenjerera kutsiurwa achakudzwa.
  16883. Pro 13:19 Chishuvo chaitwa chinotapira kumweya weupenyu; asi chinyangadzo kumapenzi kutendeuka kubva pazvakaipa.
  16884. Pro 13:20 Anofamba nevakachenjera achachenjera; asi mufambidzani wemapenzi achatambura nezvakaipa.
  16885. Pro 13:21 Uipi hunodzingirira vatadzi; asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.
  16886. Pro 13:22 Wakanaka achagarisa vana vevana nhaka; asi fuma yemutadzi inochengeterwa wakarurama.
  16887. Pro 13:23 Zvekudya zvizhinji zviri mumunda wemurombo; asi ariko anokukurwa nekushaya mutongo.
  16888. Pro 13:24 Anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake; asi anomuda anomutsvakira murango nekukurumidza.
  16889. Pro 13:25 Wakarurama anodya kusvika pakuguta kwemweya weupenyu wake; asi dumbu rewakaipa richashaiwa.
  16890. Pro 14:1 Mukadzi umwe neumwe wakachenjera anovaka imba yake; asi mukadzi benzi anoiputsa nemaoko ake.
  16891. Pro 14:2 Anofamba mukururama kwake anotya Jehovha; asi wakatsauka panzira dzake anomuzvidza.
  16892. Pro 14:3 Mumuromo mebenzi mune shamhu yekuzvikudza; asi miromo yevakachenjera inovachengetedza.
  16893. Pro 14:4 Pasina dzinzombe chidyiro chakachena; asi kune goho guru nesimba renzombe.
  16894. Pro 14:5 Chapupu chakatendeka kwazvo hachirevi nhema zhinji; asi chapupu chenhema chinofema nhema zhinji.
  16895. Pro 14:6 Mutuki anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; asi ruzivo rwakareruka kune anonzwisisa.
  16896. Pro 14:7 Ibva pamberi pemunhu benzi, kana usingaongorori kwaari miromo yeruzivo.
  16897. Pro 14:8 Uchenjeri hweakangwara kunzwisisa nzira yake; asi upenzi hwemapenzi unyengeri.
  16898. Pro 14:9 Mapenzi anoseka pachivi; asi pakati pevakarurama pane nyasha.
  16899. Pro 14:10 Moyo unoziva kurwadziwa kwawo pachawo; uye mweni haangagoverani nemufaro wawo.
  16900. Pro 14:11 Imba yewakaipa ichaparadzwa; asi tende rewakarurama richatunga.
  16901. Pro 14:12 Pane nzira yakarurama mukuona kwemunhu; asi kuguma kwayo inzira dzerufu.
  16902. Pro 14:13 Kunyange pakuseka moyo uri mumarwadzo; uye kuguma kwemufaro uyu kushungurudzika.
  16903. Pro 14:14 Anodzokera shure pamoyo achaguta kubva panzira dzake, asi munhu wakanaka kubva pachake.
  16904. Pro 14:15 Asina ruzivo anotenda shoko rimwe nerimwe; asi wakachenjera anongwarira nhanho yake.
  16905. Pro 14:16 Wakachenjera anotya uye anobva pane zvakaipa; asi benzi rinotsamwa uye richizvivimba.
  16906. Pro 14:17 Anokurumidza kutsamwa anoita neupenzi; uye munhu wemazano akaipa anovengwa.
  16907. Pro 14:18 Vasina ruzivo vanogara nhaka yeupenzi; asi vakangwara vanodzikwa korona yeruzivo.
  16908. Pro 14:19 Vakaipa vanokotama pamberi pevakanaka, nevakashata pamasuwo ewakarurama.
  16909. Pro 14:20 Murombo anovengwa kunyange newekwake; asi vanoda wakafuma vazhinji.
  16910. Pro 14:21 Anozvidza wekwake anotadza; asi ane tsitsi kuvarombo wakaropafadzwa.
  16911. Pro 14:22 Vanoronga zvakaipa havatadzi here? Asi nyasha nechokwadi ndezvevanoronga zvakanaka.
  16912. Pro 14:23 Pakushingaira kose pane mubairo; asi shoko remiromo rinounza kushaiwa chete.
  16913. Pro 14:24 Korona yevakachenjera ifuma yavo; upenzi hwemapenzi upenzi.
  16914. Pro 14:25 Chapupu chechokwadi chinonunura mweya yeupenyu; asi anofema nhema munyengeri.
  16915. Pro 14:26 Pakutya Jehovha pane chivimbo chakasimba; uye vana vake vachava neutiziro.
  16916. Pro 14:27 Kutya Jehovha chitubu cheupenyu, kutendeuka kubva pamisungo yerufu.
  16917. Pro 14:28 Kushonga kwamambo kuri pakuwanda kwevanhu; asi kuparadzwa kwemutongi kuri pakushaikwa kwevanhu.
  16918. Pro 14:29 Anononoka kutsamwa ndewekunzwisisa kukuru; asi ane mweya mupfupi anokurisa upenzi.
  16919. Pro 14:30 Moyo wakagwinya upenyu hwenyama; asi godo kuora kwemapfupa.
  16920. Pro 14:31 Mumanikidzi wemurombo anotuka Muiti wake; asi ane tsitsi kune anoshaiwa anomukudza.
  16921. Pro 14:32 Wakaipa anowisirwa pasi muzvakaipa zvake; asi wakarurama ane tariro pakufa kwake.
  16922. Pro 14:33 Uchenjeri hunogara pamoyo weanonzwisisa; asi zviri mukati memapenzi zvinozikanwa.
  16923. Pro 14:34 Kururama kunokwiridzira rudzi; asi chivi chinyangadzo kuvanhu.
  16924. Pro 14:35 Nyasha dzamambo dziri pamuranda wakachenjera; asi hasha dzake dzichava pane anonyadzisa.
  16925. Pro 15:1 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
  16926. Pro 15:2 Rurimi rwevakachenjera rwunoita ruzivo rwuve rwakanaka; asi muromo wemapenzi unodurura upenzi.
  16927. Pro 15:3 Meso aJehovha ari panzvimbo imwe neimwe, achicherekedza vakaipa nevakanaka.
  16928. Pro 15:4 Rurimi rwakagwinya muti weupenyu; asi kutsauka parwuri kuputsika mumweya.
  16929. Pro 15:5 Benzi rinozvidza kurairira kwababa varo; asi ane hanya nekutsiurwa wakangwara.
  16930. Pro 15:6 Muimba yewakarurama mune fuma zhinji; asi pazvibereko zvewakaipa pane dambudziko.
  16931. Pro 15:7 Miromo yevakachenjera inokusha ruzivo; asi moyo wemapenzi haudaro.
  16932. Pro 15:8 Chibairo chevakaipa chinyangadzo kuna Jehovha; asi munyengetero wevakarurama mufaro wake.
  16933. Pro 15:9 Nzira yewakaipa chinyangadzo kuna Jehovha; asi anoda anodzingirira kururama.
  16934. Pro 15:10 Kurangwa kwakaipa kune anosiya nzira; anovenga kutsiurwa achafa.
  16935. Pro 15:11 Sheori nekuparadza zviri pamberi paJehovha; zvikuru sei moyo yevana vevanhu.
  16936. Pro 15:12 Mutuki haadi anomutsiura; haaendi kune vakachenjera.
  16937. Pro 15:13 Moyo wakafara unofarisisa chiso; asi nekushungurudzika kwemoyo mweya unoputsika.
  16938. Pro 15:14 Moyo unonzwisisa unotsvaka ruzivo; asi muromo wemapenzi unodya upenzi.
  16939. Pro 15:15 Mazuva ose eanotambudzika akaipa; asi moyo wakafara mabiko rinhi narinhi.
  16940. Pro 15:16 Zviri nani zvishoma zvine kutya Jehovha, pane fuma zhinji uye matambudziko mairi.
  16941. Pro 15:17 Zviri nani zvekudya zvemiriwo uye rudo ruripo, pane nzombe yakakodzwa uye pane mbengo.
  16942. Pro 15:18 Munhu ane hasha anomutsa kukakavara; asi ane moyo murefu anonyaradza gakava.
  16943. Pro 15:19 Nzira yesimbe yakaita seruzhowa rweminzwa; asi gwara revakarurama rakasimudzirwa.
  16944. Pro 15:20 Mwanakomana wakachenjera anofadza baba; asi munhu benzi anozvidza mai vake.
  16945. Pro 15:21 Upenzi mufaro kune anoshaiwa pfungwa; asi munhu anonzwisisa anoruramisa kufamba kwake.
  16946. Pro 15:22 Mazano asina kurairwa anokona; asi nevarairiri vazhinji achamira.
  16947. Pro 15:23 Munhu ane mufaro nemhinduro yemuromo wake; uye shoko nenguva yaro rakanaka sei!
  16948. Pro 15:24 Nzira yeupenyu kune wakachenjera inoenda pamusoro; kuti atendeuke kubva pagehena pasi.
  16949. Pro 15:25 Jehovha achaputsa imba yevanozvikudza; asi achasimbisa muganhu wechirikadzi.
  16950. Pro 15:26 Mirangariro yewakaipa chinyangadzo kuna Jehovha; asi mashoko anofadza akachena.
  16951. Pro 15:27 Anopamba zvinowanikwa anotambudza imba yake; asi anovenga zvipo achararama.
  16952. Pro 15:28 Moyo wewakarurama unofunganya kupindura; asi muromo wevakaipa unodurura zvinhu zvakashata.
  16953. Pro 15:29 Jehovha ari kure nevakaipa; asi anonzwa munyengetero wevakarurama.
  16954. Pro 15:30 Chiedza chemeso chinofadza moyo; zvakanzwikwa zvakanaka zvinokodza mapfupa.
  16955. Pro 15:31 Nzeve inoteerera kutsiurwa kweupenyu inogara pakati pevakachenjera.
  16956. Pro 15:32 Ani nani anoramba kurairwa anozvidza mweya weupenyu wake, asi anoteerera kutsiurwa anowana kunzwisisa.
  16957. Pro 15:33 Kutya Jehovha kudzidziswa kweuchenjeri; uye kuzvininipisa kunotangira rukudzo.
  16958. Pro 16:1 Kuronga-ronga kwemoyo ndekwemunhu; asi mhinduro yerurimi inobva kuna Jehovha.
  16959. Pro 16:2 Nzira dzose dzemunhu anoti dzakachena pameso pake; asi Jehovha anoyera mweya.
  16960. Pro 16:3 Kungurusira mabasa ako ose kuna Jehovha, zvino zvawakaronga zvichasimbiswa.
  16961. Pro 16:4 Jehovha wakazviitira zvose, newakaipawo pazuva rakaipa.
  16962. Pro 16:5 Umwe neumwe anozvikudza pamoyo chinyangadzo kuna Jehovha, ruoko kuruoko, haangaregwi asina kurangwa.
  16963. Pro 16:6 Munyasha nechokwadi chivi chinofukidzwa; uye nekutya Jehovha munhu anobva pachakaipa.
  16964. Pro 16:7 Kana nzira dzemunhu dzichifadza Jehovha, anomuyananisira kunyange nevavengi vake.
  16965. Pro 16:8 Zvishoma pamwe nekururama zviri nani pane uwandu hwezvakawanikwa nekusarurama.
  16966. Pro 16:9 Moyo wemunhu unoronga nzira yake, asi Jehovha anosimbisa nhanho yake.
  16967. Pro 16:10 Chiga chamambo chiri mumiromo yamambo; muromo wake haungatsauki pamutongo.
  16968. Pro 16:11 Chiyero nechienzaniso chakarurama ndezvaJehovha; matombo ose ekuyera ehombodo ibasa rake.
  16969. Pro 16:12 Chinyangadzo kumadzimambo kuita zvakaipa; nokuti chigaro cheushe chinosimbiswa nekururama.
  16970. Pro 16:13 Miromo yakarurama mufaro wemadzimambo; uye anoda uyo anotaura zvinhu zvakarurama.
  16971. Pro 16:14 Kutsamwa kwamambo inhume dzerufu; asi munhu wakachenjera anokunyaradza.
  16972. Pro 16:15 Pachiedza chechiso chamambo pane upenyu; nenyasha yake segore remvura yekupedzisira.
  16973. Pro 16:16 Kuwana uchenjeri kwakanaka sei kupfuurisa goridhe; nekuwana kunzwisisa kune vakasarudzwa kupfuura sirivha.
  16974. Pro 16:17 Mugwagwa mukuru wevakarurama kutendeuka kubva pachakaipa; anochenjerera nzira yake anochengetedza mweya weupenyu wake.
  16975. Pro 16:18 Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wemanyawi unotangira kuwa.
  16976. Pro 16:19 Zviri nani kuninipa pamweya pamwe nevepasi pakugovana zvakapambiwa pamwe nevanozvikudza.
  16977. Pro 16:20 Anobata nyaya neuchenjeri anowana zvakanaka; uye anovimba naJehovha ane mafarwa.
  16978. Pro 16:21 Wakachenjera pamoyo achanzi wakangwara; uye kutapira kwemiromo kunowedzera dzidzo.
  16979. Pro 16:22 Kunzwisisa kwevaridzi vako chitubu cheupenyu; asi kuraira kwemapenzi upenzi.
  16980. Pro 16:23 Moyo wewakachenjera unoitisa muromo wake uchenjere; uye anowedzera kudzidza pamiromo yake.
  16981. Pro 16:24 Mashoko anonaka mazinga euchi, anotapira kumweya weupenyu, uye upenyu kupfupa.
  16982. Pro 16:25 Pane nzira inoonekwa yakarurama pamberi pemunhu; asi kuguma kwayo inzira dzerufu.
  16983. Pro 16:26 Nzara yemushingairi inozvishingairira, nokuti muromo wake unomukurudzira.
  16984. Pro 16:27 Munhu asina maturo anochera zvakaipa; uye pamiromo yake pane semoto unopisa.
  16985. Pro 16:28 Munhu akatsauka anokusha gakava; uye mucheri anoparadzanisa shamwari dzepedo.
  16986. Pro 16:29 Munhu anomanikidza anokwezva wekwake; uye achimufambisa nenzira isina kunaka.
  16987. Pro 16:30 Anotsinzina meso ake kuronga zvinhu zvakatsauka; anorumana miromo yake anopedza chakashata.
  16988. Pro 16:31 Imvi dzemusoro ikorona yerunako; dzinowanikwa munzira yekururama.
  16989. Pro 16:32 Anononoka kutsamwa ari nani pane ane simba; neanotonga pamusoro pemweya wake pane anotapa guta.
  16990. Pro 16:33 Mujenya unokandirwa kumakumbo, asi zvinotemwa zvawo zvose zvinobva kuna Jehovha.
  16991. Pro 17:1 Chimedu chakaoma pamwe nerugare chiri nani paimba izere nezvibairo zvine gakava.
  16992. Pro 17:2 Muranda wakachenjera achatonga pamusoro pemwanakomana anonyadzisa; uye ave nemugove wenhaka pakati pevanakomana.
  16993. Pro 17:3 Hari yekunyausa ndeyesirivha, nechoto ndechegoridhe; asi Jehovha anonzvera moyo.
  16994. Pro 17:4 Muiti wezvakaipa anoteerera kumuromo wezvisina maturo; nhema dzinopa nzeve kururimi rwunoparadza.
  16995. Pro 17:5 Anoseka murombo anotuka Muiti wake; anofara panjodzi haashaiswi mhosva.
  16996. Pro 17:6 Vana vevana ikorona yevatana; uye rukudzo rwevana madzibaba avo.
  16997. Pro 17:7 Muromo weunyanzvi hauna kufanira benzi; zvikuru sei muromo wenhema kusafanira muchinda.
  16998. Pro 17:8 Chipo idombo rinokosha pameso evaridzi vacho; kupi nekupi kwarinotendeukira rinobudirira.
  16999. Pro 17:9 Anofukidza chitadzo anotsvaka rudo; asi anodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedo.
  17000. Pro 17:10 Kutsiura kunodzama kune anonzwisisa kupfuura kurova benzi kane kazana.
  17001. Pro 17:11 Wakaipa anongotsvaka kupanduka chete; asi nhume ine utsinye inotumirwa kwaari.
  17002. Pro 17:12 Bheya rafirwa nembwanana ngarisangane nemunhu; asi kwete benzi muupenzi hwaro.
  17003. Pro 17:13 Anoripira zvakaipa panzvimbo yezvakanaka, zvakaipa hazvibvi paimba yake.
  17004. Pro 17:14 Kuvamba kwegakava kwakafanana nekuvhurira mvura; naizvozvo rega nharo dzisati dzazvibudisa pachena.
  17005. Pro 17:15 Anoshaisa wakaipa mhosva uye anopa mhosva wakarurama, naivo vari vaviri chinyangadzo kuna Jehovha.
  17006. Pro 17:16 Sei kune mari yekutenga uchenjeri muruoko rwebenzi, zvarisina njere?
  17007. Pro 17:17 Shamwari inoda nguva dzose; uye hama inoberekerwa dambudziko.
  17008. Pro 17:18 Munhu anoshaiwa njere anosungana neruoko, kuva chibatiso pamberi pewekwake.
  17009. Pro 17:19 Anoda chitadzo anoda gakava; anokwiridzira suwo rake anotsvaka kuparadzwa.
  17010. Pro 17:20 Ane moyo wakatsauka haawani zvakanaka; uye wakatsauka parurimi rwake anowira mune zvakaipa.
  17011. Pro 17:21 Anobereka benzi richava chishungurudzo kwaari; hongu, baba vechituta havafari.
  17012. Pro 17:22 Moyo unofara unoita zvakanaka semushonga; asi mweya wakaputsika unoomesa pfupa.
  17013. Pro 17:23 Wakaipa anotora chipo pachipfuva kutsausa nzira dzemutongo.
  17014. Pro 17:24 Uchenjeri huri pamberi peane njere; asi meso ebenzi ari pamugumo wenyika.
  17015. Pro 17:25 Mwanakomana benzi marwadzo kuna baba vake, uye anovava kuna wakamubereka.
  17016. Pro 17:26 Uye kuranga wakarurama hakuna kunaka, nekurova machinda nekuda kwekururama.
  17017. Pro 17:27 Anoziva ruzivo anonyima mashoko ake; munhu anonzwisisa ane mweya wakagadzikana.
  17018. Pro 17:28 Kunyange benzi rinyerere rinonzi rakachenjera; anobumira miromo yake anonzi wakangwara.
  17019. Pro 18:1 Anozviparadzanisa anongotsvaka chishuvo; anopazira uchenjeri hwakanaka hwose.
  17020. Pro 18:2 Benzi harifari mukunzwisisa, asi kuti moyo waro ufukurwe.
  17021. Pro 18:3 Kana wakaipa achiuya, kuzvidza kunouyawo; pamwe chete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
  17022. Pro 18:4 Mashoko emuromo wemunhu imvura yakadzika; chitubu chenjere rukova rwunoyerera.
  17023. Pro 18:5 Hazvina kunaka kugamuchira chiso chewakaipa, kutsausa wakarurama pamutongo.
  17024. Pro 18:6 Miromo yebenzi inopinda pagakava; nemuromo waro unodana shamhu zhinji.
  17025. Pro 18:7 Muromo webenzi kuparadzwa kwaro; uye miromo yaro musungo wemweya weupenyu waro.
  17026. Pro 18:8 Mashoko emucheri akaita semisuva inomedzwa nekukurumidza; iyo ndoburukira mukati-kati medumbu.
  17027. Pro 18:9 Neari simbe pabasa rake, iye munin’ina wenyanzvi yeuparadzi.
  17028. Pro 18:10 Zita raJehovha ishongwe yakasimba; wakarurama achamhanyira kwairi agomiswa akachengeteka.
  17029. Pro 18:11 Fuma yemufumi iguta rake rakasimba, uye serusvingo rurefu pakufunga kwake.
  17030. Pro 18:12 Moyo wemunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwavapo; uye kuzvininipisa kunotangira rukudzo.
  17031. Pro 18:13 Anopindura nyaya asati anzwa, upenzi nechinyadzo kwaari.
  17032. Pro 18:14 Mweya wemunhu uchatsigira kurwara kwake; asi ndiani angatakura mweya wakaputsika?
  17033. Pro 18:15 Moyo weanonzwisisa unowana ruzivo; uye nzeve yewakachenjera inotsvaka ruzivo.
  17034. Pro 18:16 Chipo chemunhu chinomuzarurira pakafaranuka, uye chinomutungamirira pamberi pevakuru.
  17035. Pro 18:17 Anotanga pamhosva yake anoonekwa akarurama; asi wekwake anosvika ndokumuferefeta.
  17036. Pro 18:18 Mujenya unopedza magakava, uye unoparadzanisa pakati pevane simba.
  17037. Pro 18:19 Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; uye makakava akaita sechipfigiso cheimba yamambo.
  17038. Pro 18:20 Dumbu remunhu rinogutswa nezvibereko zvemuromo wake; achaguta nezvinowanikwa zvemiromo yake.
  17039. Pro 18:21 Rufu neupenyu zviri muruoko rwerurimi; uye vanoruda vachadya chibereko charwo.
  17040. Pro 18:22 Wawana mukadzi wawana chakanaka, uye wagamuchira nyasha kuna Jehovha.
  17041. Pro 18:23 Murombo anotaura mikumbiro, asi mufumi anopindura zvinhu zvehasha.
  17042. Pro 18:24 Munhu ane shamwari zhinji achaparara; asi kune mudikanwi anonamatira kupfuura hama.
  17043. Pro 19:1 Murombo anofamba muchokwadi chake ari nani pane wakatsauka pamiromo yake asi ari benzi.
  17044. Pro 19:2 Uye mweya weupenyu usina ruzivo hauna kunaka; uye anokurumidza netsoka anotadza.
  17045. Pro 19:3 Upenzi hwemunhu hunotsausa nzira yake; uye moyo wake unotsamwira Jehovha.
  17046. Pro 19:4 Fuma inowedzera shamwari zhinji; asi murombo anoparadzaniswa neshamwari yake.
  17047. Pro 19:5 Chapupu chemanyepo hachingaregi kurangwa; neanofema nhema zhinji haangapukunyuki.
  17048. Pro 19:6 Vazhinji vanogombetedza nyasha dzemachinda; uye umwe neumwe ishamwari yemunhu wechipo.
  17049. Pro 19:7 Hama dzose dzemurombo dzinomuvenga; zvikuru sei shamwari dzake dzichienda kure naye! Akavadzingirira nemashoko asi havapo!
  17050. Pro 19:8 Anotenga kunzwisisa anoda mweya weupenyu wake; anongwarira uchenjeri kuwana zvakanaka.
  17051. Pro 19:9 Chapupu chemanyepo hachingaregi kurangwa; neanofema nhema zhinji achaparara.
  17052. Pro 19:10 Kugarika hakuna kufanira benzi; zvikuru sei kuti muranda atonge machinda.
  17053. Pro 19:11 Kunzwisisa kwemunhu kunononosa kutsamwa kwake; nerukudzo rwake kupfuura chitadzo.
  17054. Pro 19:12 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nekuomba kwehando yeshumba; asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.
  17055. Pro 19:13 Mwanakomana benzi imharadzi huru kuna baba vake; nemakakava emukadzi kudonha kwemvura kusingaperi.
  17056. Pro 19:14 Dzimba nefuma inhaka yemadzibaba; asi mukadzi wakangwara anobva kuna Jehovha.
  17057. Pro 19:15 Usimbe hunowisira pahope huru; uye mweya weupenyu uri nyope uchava nenzara.
  17058. Pro 19:16 Anochengeta murairo anochengeta mweya weupenyu wake; anozvidza nzira dzake achafa.
  17059. Pro 19:17 Anonzwira murombo anokweretesa Jehovha; uye achamuripira basa rake.
  17060. Pro 19:18 Ranga mwanakomana wako tariro ichipo; asi usashuva kufa kwake.
  17061. Pro 19:19 Ane hasha zvikuru achatora muripo; nokuti kana uchinunura unenge uchingoramba uchizviita.
  17062. Pro 19:20 Teerera zano uye gamuchira murairo, kuti uve wakachenjera pakuguma kwako.
  17063. Pro 19:21 Kune mano akawanda pamoyo wemunhu; asi zano raJehovha ndiro richamira.
  17064. Pro 19:22 Chinoshuviwa pamunhu unyoro hwake; uye murombo ari nani pamunhu wenhema.
  17065. Pro 19:23 Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; uye anako achagara akaguta; haangavingwi nezvakaipa.
  17066. Pro 19:24 Simbe inoviga ruoko rwayo mundiro, uye haingarwudzoseri kumuromo wayo.
  17067. Pro 19:25 Rova mutuki, zvino asina ruzivo achangwara; uye tsiura anonzwisisa, achanzwisisa ruzivo.
  17068. Pro 19:26 Anoparadza baba, anodzinga mai, mwanakomana anonyadzisa nekuita chinyadzo.
  17069. Pro 19:27 Rega, mwanakomana wangu, kuteerera kurairwa, neanokutsausa pamashoko eruzivo.
  17070. Pro 19:28 Chapupu chakaipa chinotuka kururama; uye muromo wevakaipa unomedza uipi.
  17071. Pro 19:29 Mitongo yakagadzirirwa vatuki; neshamhu zhinji misana yemapenzi.
  17072. Pro 20:1 Waini museki; zvinwiwa zvine simba zvine ruzha; naizvozvo ani nani anotsauka mazviri haana kuchenjera.
  17073. Pro 20:2 Kutyisa kwamambo kwakaita sekuomba kwehando yeshumba; anomutsamwisa anotadzira mweya weupenyu wake.
  17074. Pro 20:3 Kune rukudzo kumunhu anoguma pagakava; asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.
  17075. Pro 20:4 Nekuda kwechando simbe hairimi; saka achapemha pakukohwa, asi kusina chinhu.
  17076. Pro 20:5 Zano mumoyo wemunhu rakaita semvura yakadzika; asi munhu wekunzwisisa achaichera.
  17077. Pro 20:6 Ruzhinji rwevanhu rwunodanidzira, umwe neumwe kunaka kwake; asi ndiani achawana munhu wekutendeka kukuru?
  17078. Pro 20:7 Wakarurama anofamba muuchokwadi hwake; vakaropafadzwa vana vake vanomutevera.
  17079. Pro 20:8 Mambo agere pachigaro chekutonga anoparadzira chakaipa chose nemeso ake.
  17080. Pro 20:9 Ndiani anoti: Ndachenesa moyo wangu, ndanatswa pachivi changu?
  17081. Pro 20:10 Ibwe rezviyero zvakasiyana, efa rakasiyana-siyana, chinyangadzo kuna Jehovha, hongu zviri zviviri.
  17082. Pro 20:11 Kunyange mwana anozvizivisa nezviito zvake, kana basa rake rakachena, uye kana rakarurama.
  17083. Pro 20:12 Nzeve inonzwa neziso rinoona, Jehovha wakazviita, hongu zviri zviviri.
  17084. Pro 20:13 Usada hope, zvimwe ungava murombo; svinudza meso ako, gutiswa nechingwa.
  17085. Pro 20:14 Chakaipa, chakaipa! anoreva mutengi; asi kana oenda, ipapo anozvirumbidza.
  17086. Pro 20:15 Goridhe ririko, neuwandu hwemabwe anokosha; asi miromo yeruzivo chishongo chinokosha.
  17087. Pro 20:16 Tora nguvo yake iye ari chibatiso chemutorwa; uye umubate ave chibatiso chemukadzi mutorwa.
  17088. Pro 20:17 Chingwa chenhema chinotapira kumunhu, asi pashure muromo wake uchazara nerukangarabwe.
  17089. Pro 20:18 Mirangariro unoimisa pakurangana; naizvozvo ita hondo neurongwa hwakanaka.
  17090. Pro 20:19 Anofamba ane makuhwa anobudisa zvakavanda; naizvozvo usazvisanganisa neanonyengera nemiromo yake.
  17091. Pro 20:20 Anotuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.
  17092. Pro 20:21 Nhaka yakawanikwa nekukurumidza pakutanga, asi kuguma kwayo hakungaropafadzwi.
  17093. Pro 20:22 Usati: Ndichatsiva zvakaipa; mirira Jehovha, zvino achakuponesa.
  17094. Pro 20:23 Mabwe ekuyera akasiyana chinyangadzo kuna Jehovha; nechikero chinonyengedzera hachina kunaka.
  17095. Pro 20:24 Nhanho dzemurume dzinobva kuna Jehovha; zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?
  17096. Pro 20:25 Musungo kumunhu kumedza chitsvene, nekuzofungisisa shure kwemhiko.
  17097. Pro 20:26 Mambo wakachenjera anoparadzira vakaipa, ndokudzosera vhiri pamusoro pavo.
  17098. Pro 20:27 Mweya wemunhu mwenje waJehovha; unonzvera makamuri ose edumbu.
  17099. Pro 20:28 Nyasha nechokwadi zvinochengeta mambo; uye anotsigira chigaro chake cheushe nerudo.
  17100. Pro 20:29 Rumbidzo yemajaya isimba rawo, uye rukudzo rwevatana ivhudzi rakachena.
  17101. Pro 20:30 Mavanga eronda anonatsa chakaipa; saizvozvo shamhu dzemakamuri edumbu.
  17102. Pro 21:1 Moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha [se]hova dzemvura; anoutandavadzira kupi nekupi kwaanoda.
  17103. Pro 21:2 Nzira ipi neipi yemunhu yakarurama pameso ake, asi Jehovha anonzvera moyo.
  17104. Pro 21:3 Kuita kururama nemutongo kwakasarudzwa kuna Jehovha pane chibairo.
  17105. Pro 21:4 Kukwirira kwemeso nekupamhamha kwemoyo nekurima kwevakaipa chivi.
  17106. Pro 21:5 Ndangariro dzevashingairi dziri pakuwanza chete; asi dzewose anokurumidzisa dziri pakushaiwa chete.
  17107. Pro 21:6 Kuita fuma nerurimi rwenhema kushaya maturo kunopepereka kwevanotsvaka rufu.
  17108. Pro 21:7 Kupamba kwevakaipa kunovakweva, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
  17109. Pro 21:8 Nzira yemunhu yakaminama uye ine mhosva, asi wakachena basa rake rakarurama.
  17110. Pro 21:9 Zviri nani kugara pakona yedenga reimba, pane mukadzi wemakakava neimba yekufambidzana.
  17111. Pro 21:10 Mweya weupenyu wewakaipa unoshuva zvakaipa; wekwake haagamuchiri nyasha pameso ake.
  17112. Pro 21:11 Kana museki achirangwa, asina ruzivo anova wakachenjera; nepanorairwa wakachenjera anogamuchira ruzivo.
  17113. Pro 21:12 Wakarurama anocherekedza imba yewakaipa; anowisira vakaipa muzvakaipa.
  17114. Pro 21:13 Anodzivira nzeve yake pakuchema kwemurombo, iyewo achadana asingapindurwi.
  17115. Pro 21:14 Chipo chepachivande chinoderedza hasha, nepfumbamuromo pachipfuva kupfuta kwakasimba.
  17116. Pro 21:15 Mufaro kune wakarurama kuita zvakanaka; asi kuparara kuvaiti vezvakaipa.
  17117. Pro 21:16 Munhu, anotsauka panzira yekunzwisisa, achagara paungano yemweya yakafa.
  17118. Pro 21:17 Anoda mafaro achava murombo; anoda waini nemafuta haangafumi.
  17119. Pro 21:18 Wakaipa rudzikunuro rwewakarurama, nemudariki pachinzvimbo chevari pachokwadi.
  17120. Pro 21:19 Zviri nani kugara munyika iri renje pane mukadzi wemakakava nehasha.
  17121. Pro 21:20 Fuma inoshuviwa uye mafuta ari muugaro hwewakachenjera, asi benzi rinozvimedza.
  17122. Pro 21:21 Anodzingirira kururama neunyoro achawana upenyu, kururama, nerukudzo.
  17123. Pro 21:22 Wakachenjera anokwira muguta revane simba, achiwisira pasi simba rechivimbo charo.
  17124. Pro 21:23 Anochengeta muromo wake nerurimi rwake anochengeta mweya weupenyu wake pamatambudziko.
  17125. Pro 21:24 Museki anozvikudza ane manyawi izita rake; anobata nehasha nekuzvikudza.
  17126. Pro 21:25 Chishuvo chesimbe chichaiuraya, nokuti maoko ayo anoramba kushanda.
  17127. Pro 21:26 Zuva rose achishuva chishuvo; asi wakarurama achapa asinganyimi.
  17128. Pro 21:27 Chibairo chevakaipa chinyangadzo; zvikuru sei kana vachiuya nacho mune zvakaipa.
  17129. Pro 21:28 Chapupu chenhema chichaparara; asi munhu anoteerera achitaura rinhi narinhi.
  17130. Pro 21:29 Munhu wakaipa anoomesa chiso chake; asi wakarurama iye anocherekedza nzira yake.
  17131. Pro 21:30 Hakuna uchenjeri, uye hakuna njere, uye hakuna zano, zvingarwisa Jehovha.
  17132. Pro 21:31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rehondo, asi kununurwa kunobva kuna Jehovha.
  17133. Pro 22:1 Zita [rakanaka] rinosarudzwa kupfuura fuma zhinji; nyasha dzakanaka kupfuura sirivha uye kupfuura goridhe.
  17134. Pro 22:2 Mufumi nemurombo vanosangana; Jehovha muiti wavo vose.
  17135. Pro 22:3 Wakangwara anoona chakaipa ndokuvanda; asi vasina ruzivo vanopfuura ndokurangwa.
  17136. Pro 22:4 Mubairo wekuzvininipisa nekutya Jehovha ifuma nerukudzo neupenyu.
  17137. Pro 22:5 Minzwa nemisungo zviri panzira yewakatsauka; uyo anochengeta mweya weupenyu wake achava kure nazvo.
  17138. Pro 22:6 Rovedza mwana panzira yaangafamba nayo; kunyange akura haangatsauki pairi.
  17139. Pro 22:7 Mufumi anotonga pamusoro pevarombo; uye mukwereti muranda kune anokweretesa.
  17140. Pro 22:8 Anodzvara kusarurama achacheka dambudziko; uye tsvimbo yekutsamwa kwake ichapera.
  17141. Pro 22:9 Ane ziso rine zvakanaka iye acharopafadzwa; nokuti anopa murombo pachingwa chake.
  17142. Pro 22:10 Dzinga museki, gakava richabudawo, nenharo nenyadzi zvichaguma.
  17143. Pro 22:11 Anoda kuchena kwemoyo, nyasha dzemiromo yake, shamwari yake ndimambo.
  17144. Pro 22:12 Meso aJehovha anochengeta ruzivo; asi achaparadza mashoko evasina kuvimbika.
  17145. Pro 22:13 Simbe inoti: Pane shumba panze; ndichaurawa pakati penzira dzemumusha.
  17146. Pro 22:14 Muromo wevakadzi vekumwe igomba rakadzika; anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
  17147. Pro 22:15 Upenzi hwakasungirirwa pamoyo pemwana; shamhu yekuranga ichahuisa kure naye.
  17148. Pro 22:16 Anomanikidza murombo kuwedzera zvaanazvo, anopa mufumi, zvirokwazvo achava anoshaiwa.
  17149. Pro 22:17 Rereka nzeve yako, uye unzwe mashoko evakachenjera, uye umise moyo wako paruzivo rwangu.
  17150. Pro 22:18 Nokuti chinhu chakanaka, kana uchiachengeta mumuviri wako; achagadzirira pamwe pamiromo yako.
  17151. Pro 22:19 Kuti tariro yako ive kuna Jehovha, ndakuzivisa nhasi, kunyange iwe.
  17152. Pro 22:20 Handina kukunyorera zvinhu zvakanakisisa mumazano neruzivo here?
  17153. Pro 22:21 Kukuzivisa uchokwadi hwemashoko emazvirokwazvo, kuti udzosere mashoko echokwadi kune vanokutuma here?
  17154. Pro 22:22 Usapamba murombo nokuti murombo; uye usapwanya anotambudzika pasuwo.
  17155. Pro 22:23 Nokuti Jehovha achamiririra nyaya yavo, nekupamba mweya weupenyu wevapambi vavo.
  17156. Pro 22:24 Usashamwaridzana nemunhu anotsamwa; uye usafambidzana nemunhu ane hasha.
  17157. Pro 22:25 Zvimwe udzidze nzira dzake, ugogamuchira musungo kumweya weupenyu wako.
  17158. Pro 22:26 Usava pakati pevanorova maoko, pakati pevechibatiso chezvikwereti.
  17159. Pro 22:27 Kana usina chekuripisa, achagotorerei mubhedha wako pasi pako?
  17160. Pro 22:28 Usafuzhura muganhu wekare, madzibaba ako waakaita.
  17161. Pro 22:29 Unoona munhu nyanzvi pabasa rake here? Achazvimisa pamberi pemadzimambo; haazvimisi pamberi pevanhuwo zvavo.
  17162. Pro 23:1 Kana ukagara kuti udye nemutungamiriri, cherekedza zvekucherekedza zviri pamberi pako.
  17163. Pro 23:2 Zvino uise banga pahuro pako, kana uri munhu wemadyo.
  17164. Pro 23:3 Usashuva zvinonaka zvake, nokuti ndezvekudya zhenhema.
  17165. Pro 23:4 Usashingairira kufuma; guma pakunzwisisa kwako.
  17166. Pro 23:5 Uchabhururusa meso ako zvisipo here? Nokuti fuma inozviitira zvekuzviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kumatenga.
  17167. Pro 23:6 Usadya zvekudya zveane ziso rakaipa, uye usashuva zvinonaka zvake.
  17168. Pro 23:7 Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, wakadaro; anoti kwauri: Idya unwe; asi moyo wake hausi pamwe newe.
  17169. Pro 23:8 Musuva wawadya, uchaurutsa, ukakanganisa mashoko ako akanaka.
  17170. Pro 23:9 Usataura munzeve dzebenzi, nokuti achazvidza uchenjeri hwemashoko ako.
  17171. Pro 23:10 Usafuzhura muganhu wekare; uye usapinda paminda yenherera.
  17172. Pro 23:11 Nokuti mudzikunuri wavo ane simba; iye achamiririra nyaya yavo newe.
  17173. Pro 23:12 Isa moyo wako kumurairo, nenzeve yako kumashoko eruzivo.
  17174. Pro 23:13 Usanyima mwana murango; kana uchimurova neshamhu haangafi.
  17175. Pro 23:14 Iwe uchamurova neshamhu, uye uchanunura mweya weupenyu wake mugehena.
  17176. Pro 23:15 Mwanakomana wangu, kana moyo wako wakachenjera, moyo wangu uchafara, hongu ini.
  17177. Pro 23:16 Neitsvo dzangu dzichapembera, miromo yangu paichataura zvakarurama.
  17178. Pro 23:17 Moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; asi iva pakutya Jehovha zuva rose.
  17179. Pro 23:18 Nokuti zvirokwazvo kune mubairo; netarisiro yako haingagurwi.
  17180. Pro 23:19 Teerera, iwe mwanakomana wangu, uve wakachenjera, ururamise moyo wako munzira.
  17181. Pro 23:20 Usava pakati pevanwi vakuru vewaini, pakati pavanokarira kwazvo nyama.
  17182. Pro 23:21 Nokuti chidhakwa neane madyo vachava varombo; uye hope dzichapfekedza mamvemve.
  17183. Pro 23:22 Teerera kuna baba vako vakakubereka; uye usazvidza mai vako kana vachembera.
  17184. Pro 23:23 Tenga chokwadi, uye usatengesa, uchenjeri, nedzidzo, nenjere.
  17185. Pro 23:24 Baba vewakarurama vachafara zvikuru; uye mubereki wewakachenjera anofara maari.
  17186. Pro 23:25 Baba vako namai vako ngavafare; nemukadzi wakakubereka ngaafarisise.
  17187. Pro 23:26 Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; nemeso ako ngaachenjerere nzira dzangu.
  17188. Pro 23:27 Nokuti chifeve igoronga rakadzika; nemukadzi wekumwe gomba rakamanikana.
  17189. Pro 23:28 Naiye anovandira segororo; uye anowedzera vanyengedzeri pakati pevanhu.
  17190. Pro 23:29 Ndiani ane: Haiwa? Ndiani ane: Nhamo? Ndiani ane kukakavara? Ndiani ane kuchema? Ndiani ane mavanga pasina chikonzero? Ndiani ane meso matsvuku?
  17191. Pro 23:30 Ndeavo vanogarisa pawaini; ndeavo vanondotsvaka waini yakavhenganiswa.
  17192. Pro 23:31 Usatarira waini, painozvitaridza yakatsvuka, painopa mukombe ruvara rwayo, ichifamba yakarurama.
  17193. Pro 23:32 Pakupedzisira kwayo inoruma senyoka, uye inobaya semvumbi.
  17194. Pro 23:33 Meso ako achaona vakadzi vekumwe, nemoyo wako uchataura zvakatsauka.
  17195. Pro 23:34 Hongu, uchava seakarara pamoyo wegungwa, kana searere pamusoro wedanda rechikepe.
  17196. Pro 23:35 Uchati: Vakandirova, handina kurwadziwa, vakandidambura, handina kucherekedza. Ndichamuka rinhi? Ndichatsvakazve zvekare.
  17197. Pro 24:1 Usagodora vanhu vakaipa; uye usashuva kuva pamwe navo.
  17198. Pro 24:2 Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; nemiromo yavo inotaura dambudziko.
  17199. Pro 24:3 Imba inovakwa neuchenjeri; uye inosimbiswa nekunzwisisa.
  17200. Pro 24:4 Zvino neruzivo makamuri anozadzwa nefuma inokosha uye inofadza.
  17201. Pro 24:5 Murume wakachenjera ane kugwinya; uye munhu weruzivo anosimbisa simba.
  17202. Pro 24:6 Nokuti nemazano akachenjera ungaita hondo yako; nekununurwa kuri muuwandu hwevapi vemazano.
  17203. Pro 24:7 Uchenjeri ukuru hwose hwakakwiririsa kubenzi; pasuwo harizaruri muromo waro.
  17204. Pro 24:8 Anoronga kuita chakaipa, iye vanomuti tenzi wemirangariro yakaipa.
  17205. Pro 24:9 Mufungo weupenzi chivi; uye museki chinyangadzo kuvanhu.
  17206. Pro 24:10 Ukazvitaridza kuremberera pazuva rekutambudzika, simba rako rakamanikana.
  17207. Pro 24:11 Nunura vanoiswa kurufu, nevanotatarikira kukuurawa; dai wavadzivisa.
  17208. Pro 24:12 Kana ukati: Tarira, hatina kuziva izvi; anonzvera moyo haangacherekedzi here? Anochengetedza mweya weupenyu wako haasi anoziva here? Iye anotsivira munhu zvichienderana nebasa rake?
  17209. Pro 24:13 Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; nezinga reuchi rinotapira pamukanwa wako.
  17210. Pro 24:14 Rwakadaro ruzivo rweuchenjeri kumweya weupenyu wako; kana ukarwuwana, kuchava nemubairo; uye tariro yako haingagurwi.
  17211. Pro 24:15 Rega kuvandira, iwe wakaipa, paugaro hwevakarurama; usaparadza pane anozororera.
  17212. Pro 24:16 Nokuti wakarurama achawa kanomwe ndokumuka; asi vakaipa vachagumburwa mune zvakaipa.
  17213. Pro 24:17 Usafara pakuwa kwemuvengi wako; uye pakugumburwa kwake moyo wako ngaurege kufarisa;
  17214. Pro 24:18 zvimwe Jehovha azvione, zvive zvakaipa pameso ake, adzore hasha dzake dzibve kwaari.
  17215. Pro 24:19 Usazvinetsa nekuda kwevaiti vezvakaipa; usagodora nekuda kwevakaipa.
  17216. Pro 24:20 Nokuti wakaipa haana mubairo; mwenje wevakaipa uchadzimwa.
  17217. Pro 24:21 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; usafambidzana nevanongoshanduka shanduka.
  17218. Pro 24:22 Nokuti njodzi yavo ichamuka pakarepo; uye ndiani anoziva kuparara kwavo vari vaviri?
  17219. Pro 24:23 Izviwo ndezvevakachenjera: Kutarisa zviso pamutongo hazvina kunaka.
  17220. Pro 24:24 Anoti kune wakaipa: Iwe wakarurama; vanhu vachamutuka, marudzi achamusema.
  17221. Pro 24:25 Asi kune vanotsiura zvinofadza; uye pamusoro pavo panouya ropafadzo yakanaka.
  17222. Pro 24:26 Anopindura nemashoko akarurama achatsvoda miromo.
  17223. Pro 24:27 Gadzira basa rako nechekunze, uzvigadzirire iro pamunda; pashure ugovaka imba yako.
  17224. Pro 24:28 Usava chapupu kupikisa wekwako pasina chikonzero, kana kunyengera nemiromo yako.
  17225. Pro 24:29 Usati: Sezvaakandiitira, ndichaita saizvozvo kwaari; ndichatsivira kumunhu zvichienderana nebasa rake.
  17226. Pro 24:30 Ndakapfuura pamunda wesimbe, nepamunda wemizambiringa wemunhu anoshaiwa njere.
  17227. Pro 24:31 Zvino tarirai, zvose zvaiva zvamera minzwa; sora raiva rakafukidza chiso chawo; nerusvingo rwawo rwemabwe rwaiva rwakoromoka.
  17228. Pro 24:32 Zvino ini ndakatarira, ndakaisa moyo wangu; ndakaona, ndakagamuchira kudzidziswa.
  17229. Pro 24:33 Hope shomanene, kutsumwaira kushomanene, kumbofungatira maoko kushomanene, kuti kurarwe.
  17230. Pro 24:34 Saizvozvo urombo hwako huchasvika semufambi, nekushaiwa kwako kukuru semunhu akashonga zvombo.
  17231. Pro 25:1 Izviwo zvirevo zvaSoromoni, vanhu vaHezekia mambo wevaJudha zvavakakoponora.
  17232. Pro 25:2 Rukudzo rwaMwari kuvanza nyaya; asi rukudzo rwemadzimambo kunzvera nyaya.
  17233. Pro 25:3 Matenga pakukwirira, nenyika paudziku, nemoyo wemadzishe hazvinzvereki.
  17234. Pro 25:4 Bvisa marara pasirivha, zvino mudziyo wemunatsi uchabuda.
  17235. Pro 25:5 Bvisa wakaipa pamberi pamambo, uye chigaro chake cheushe chichasimbiswa mukururama.
  17236. Pro 25:6 Usazvikudza pamberi pamambo; uye usamira panzvimbo yevakuru.
  17237. Pro 25:7 Nokuti zviri nani kuti zvinzi kwauri: Kwira pano; pakuti uninipiswe pamberi pemuchinda meso ako waakaona.
  17238. Pro 25:8 Usakurumidza kubudira gakava; zvimwe ungaita chinhu pakupedzisira kwacho, wekwako paanenge akakunyadzisa.
  17239. Pro 25:9 Miririra nyaya yako newekwako, asi zano rakavanda reumwe usariratidza pachena.
  17240. Pro 25:10 Zvimwe munzwi angakunyadzisa, uye guhwa rako rikasadzoreka.
  17241. Pro 25:11 Shoko rinotaurwa nenguva dzaro dzakafanira maapuri egoridhe mumidziyo yesirivha.
  17242. Pro 25:12 Chindori chenzeve chegoridhe, nechishongo chegoridhe rakakwana, ndiye mutsiuri wakachenjera kunzeve inonzwa.
  17243. Pro 25:13 Nhume yakatendeka kune vanoituma yakaita sekutonhorera kwemagada echando pazuva rekukohwa; uye inovandudza mweya weupenyu wevana tenzi vayo.
  17244. Pro 25:14 Munhu anozvirumbidza nechipo chenhema wakaita semakore nemhepo zvisina mvura.
  17245. Pro 25:15 Mubati anobvumiswa nemoyo murefu, uye rurimi runyoro runovhuna pfupa.
  17246. Pro 25:16 Wawana uchi here? Idya hwakakukwanira; zvimwe ungagutswa nahwo ukahurutsa.
  17247. Pro 25:17 Rutsoka rwako rwusanyanya paimba yewekwako; zvimwe agutswa nezvako ndokukuvenga.
  17248. Pro 25:18 Munhu anopupurira wekwake nhema inyundo, nemunondo, nemuseve unopinza.
  17249. Pro 25:19 Kuvimba asingavimbiki nezuva rekutambudzika kwakafanana nezino rakagurika, nerutsoka rwakashodoka.
  17250. Pro 25:20 Anoimbira nziyo zhinji mumoyo akadumbirwa wakaita seanobvisa nguvo pazuva rechando, sevhiniga pasoda.
  17251. Pro 25:21 Kana anokuvenga ane nzara, umupe chingwa adye; uye kana ane nyota, umupe mvura anwe.
  17252. Pro 25:22 Nokuti uchatutira mazimbe pamusoro wake; uye Jehovha achakuripira.
  17253. Pro 25:23 Mhepo yemaodzanyemba inouisa mvura; uye rurimi rwechivande zviso zvakatsamwa.
  17254. Pro 25:24 Zviri nani kugara pakona yedenga reimba, pane mukadzi wemakakava neimba yekufambidzana.
  17255. Pro 25:25 Zvakanzwikwa zvakanaka kubva kunyika iri kure zvakaita semvura inotonhorera pamweya weupenyu wakaneta.
  17256. Pro 25:26 Chitubu chakabvongodzwa, netsime rakashatiswa, ndizvo zvakaita wakarurama anowa pamberi pewakaipa.
  17257. Pro 25:27 Kudya uchi hwakawanda hakuna kunaka; uye kuzvitsvakira rukudzo harwusi rukudzo.
  17258. Pro 25:28 Munhu asingadzori mweya wake wakaita seguta rakaputsika risina rusvingo.
  17259. Pro 26:1 Semagada echando muzhizha, uye semvura mukukohwa, saizvozvo rukudzo harwufaniri benzi.
  17260. Pro 26:2 Seshiri pakumbeya mbeya, senyenganyenga pakubhururuka, saizvozvo kutuka pasina mhosva hakungasviki.
  17261. Pro 26:3 Tyava ndeyebhiza, tomu nderembongoro, uye shamhu ndeyemusana wemapenzi.
  17262. Pro 26:4 Usapindura benzi neupenzi hwaro, zvimwe newe ufanane naro.
  17263. Pro 26:5 Pindura benzi neupenzi hwaro, zvimwe rive rakachenjera pameso aro.
  17264. Pro 26:6 Anotuma mashoko neruoko rwebenzi, anogura tsoka, anonwa utsinye.
  17265. Pro 26:7 Makumbo echirema anongoremberera; chakadaro chirevo mumuromo wemapenzi.
  17266. Pro 26:8 Semunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, wakadaro anopa rukudzo kubenzi.
  17267. Pro 26:9 Seminzwa unokwira muruoko rwechidhakwa, chakadaro chirevo mumuromo wemapenzi.
  17268. Pro 26:10 Mukuru muumbi wezvose, anopa mubairo benzi, uye anopa mubairo vapfuuri.
  17269. Pro 26:11 Seimbwa inodzokera kumarutsi ayo, rakadaro benzi rinopamhidza upenzi hwaro.
  17270. Pro 26:12 Unoona here munhu wakachenjera pameso ake? Kune tarisiro kubenzi kupfuura iye.
  17271. Pro 26:13 Ane usimbe anoti: Kune shumba panzira; shumba iri munzira dzemumusha.
  17272. Pro 26:14 Gonhi rinotendereka pahinji raro; saizvozvo simbe panhovo yayo.
  17273. Pro 26:15 Simbe inoviga ruoko rwayo mundiro; ine usimbe kurudzosera kumuromo wayo.
  17274. Pro 26:16 Simbe yakachenjera pameso ayo kupfuura vanomwe vanopindura nenjere.
  17275. Pro 26:17 Mupfuuri anozvitsamwisa pagakava risiri rake anobata nzeve dzeimbwa.
  17276. Pro 26:18 Semupengo anokanda huni dzinobarika, miseve, nerufu;
  17277. Pro 26:19 wakadaro munhu anonyengera wekwake ndokuti: Handiiti jee here?
  17278. Pro 26:20 Kana pasina huni moto unodzima; uye pasina mucheri gakava rinoguma.
  17279. Pro 26:21 Semazimbe pamaratya anopfuta, nehuni pamoto, wakadaro munhu wemakakava kupfutidza rukave.
  17280. Pro 26:22 Mashoko emucheri akaita semisuva inomedzwa nekukurumidza; uye iyo inoburukira mukati-kati medumbu.
  17281. Pro 26:23 Miromo inopisa nemoyo wakaipa marara esirivha akafukidza hari.
  17282. Pro 26:24 Anovenga anozviitisa nemiromo yake, asi anoisa kunyengera mukati make.
  17283. Pro 26:25 Kana achiita inzwi rake rive netsitsi, usavimba naye, nokuti zvinyangadzo zvinomwe zviri mumoyo make.
  17284. Pro 26:26 Ruvengo rwake rwunofukidzwa nekunyengera, uipi hwake huchabudiswa pachena paungano.
  17285. Pro 26:27 Anochera gomba achawira mariri; nemukungurusi webwe rinotendeukira kwaari.
  17286. Pro 26:28 Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; uye muromo unobata kumeso unoita kuparadza.
  17287. Pro 27:1 Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana; nokuti hauzivi kuti zuva richaberekei.
  17288. Pro 27:2 Mutorwa ngaakurumbidze, uye kwete muromo wako; mweni, uye kwete miromo yako.
  17289. Pro 27:3 Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; asi kutsamwa kwebenzi kunorema pazviri zviri zviviri.
  17290. Pro 27:4 Hasha dzine utsinye, uye kutsamwa kunokukura; asi ndiani angamira pamberi pegodo?
  17291. Pro 27:5 Kutsiurwa pachena kuri nani parudo rwechivande.
  17292. Pro 27:6 Mavanga eshamwari akatendeka, asi kutsvoda kwemuvengi kunonyengedza.
  17293. Pro 27:7 Mweya wakaguta unotsika-tsika zinga reuchi; asi kumweya une nzara zvose zvinovava zvinotapira.
  17294. Pro 27:8 Seshiri inorasika kubva mudendere rayo, wakadaro munhu anorasika kubva panzvimbo yake.
  17295. Pro 27:9 Mafuta nezvinonhuhwira zvinofadza moyo; kwakadaro kutapira kweshamwari yemunhu nekuda kwezano remweya.
  17296. Pro 27:10 Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; uye usapinda muimba yemunin’ina wako nezuva renjodzi yako; wekwako ari pedo ari nani pane munin’ina ari kure.
  17297. Pro 27:11 Chenjera, mwanakomana wangu, ufadze moyo wangu, kuti ndidzosere anondishora shoko.
  17298. Pro 27:12 Wakangwara anoona zvakaipa ndokuvanda; vasina mano vanopfuura ndokurangwa.
  17299. Pro 27:13 Tora nguvo yake iye ari chibatiso nekuda kwemutorwa, uye umubate ave chibatiso chemukadzi mutorwa.
  17300. Pro 27:14 Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru achimuka mangwanani-ngwanani, kuchanzi chituko kwaari.
  17301. Pro 27:15 Kudonha kusingaperi pazuva remvura inoenderera nemukadzi wemakakava zvakafanana.
  17302. Pro 27:16 Anomuvanza anovanza mhepo, uye chizoro chinosangana neruoko rwake rwerudyi.
  17303. Pro 27:17 Simbi inorodzwa nesimbi; saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
  17304. Pro 27:18 Muchengeti wemuonde anodya chibereko chawo; uye muchengetedzi watenzi wake anokudzwa.
  17305. Pro 27:19 Semumvura chiso kuchiso, saizvozvo moyo wemunhu kumunhu.
  17306. Pro 27:20 Gehena nekuparara hazviguti; saizvozvo meso emunhu haaguti.
  17307. Pro 27:21 Hari yekunatsira ndeyesirivha, nevira nderegoridhe; wakadaro munhu nekurumbidzwa kwake.
  17308. Pro 27:22 Kunyange ukatswa benzi nemutswi muduri pakati pegorosi, upenzi hwaro hahungabvi kwariri.
  17309. Pro 27:23 Ziva zvekuziva chimiro chemakwai ako; isa moyo wako kumapoka ako.
  17310. Pro 27:24 Nokuti fuma haiko nekusingaperi; kana korona isvike kuzera nezera here?
  17311. Pro 27:25 Uswa hunobviswa, bumhudza ndokuonekwa, nemiriwo yemakomo inovunganidzwa.
  17312. Pro 27:26 Makwayana ndeezvekupfeka zvako, uye makondohwe mutengo wemunda.
  17313. Pro 27:27 Mukaka wembudzi uchakwana zvekudya zvako, zvekudya zveimba yako, neupenyu hwevarandasikana vako.
  17314. Pro 28:1 Akaipa anotiza kusina mudzingiriri; asi vakarurama vakashinga seshumba.
  17315. Pro 28:2 Nechitadzo chenyika machinda ayo mazhinji; asi nemunhu anonzwisisa ane ruzivo kururama kunorebeswa.
  17316. Pro 28:3 Murume anoshaiwa anomanikidza varombo imvura inoyeredza kuti pasava nezvekudya.
  17317. Pro 28:4 Vanosiya murairo vanorumbidza vakaipa; asi vanochengeta murairo vanokakavadzana navo.
  17318. Pro 28:5 Vanhu vakashata havanzwisisi mutongo; asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.
  17319. Pro 28:6 Murombo anofamba muchokwadi chake ari nani pane wakamonyoroka padzinzira kunyange akafuma.
  17320. Pro 28:7 Anochengetedza murairo mwanakomana anonzwisisa; asi anofambidzana nevemadyo anonyadzisa baba vake.
  17321. Pro 28:8 Anowedzera fuma yake nekuberekesa nechimbadzo anoiunganidzira anetsitsi kuvarombo.
  17322. Pro 28:9 Anotsausa nzeve yake pakunzwa murairo, kunyange munyengetero wake chinyangadzo.
  17323. Pro 28:10 Anotsausa vakarurama nenzira yakaipa anowira mugomba rake amene; asi vari muchokwadi vanodya nhaka yezvakanaka.
  17324. Pro 28:11 Murume wakafuma wakachenjera pameso ake, asi murombo anonzwisisa anomunzvera.
  17325. Pro 28:12 Pakupembera kwevakarurama pane kubwinya kukuru; asi kana vakaipa vachisimuka, munhu anotsvakwa.
  17326. Pro 28:13 Anofukidza zvitadzo zvake haangabudiriri, asi anozvibvuma akazvisiya achawana nyasha.
  17327. Pro 28:14 Wakaropafadzwa munhu anogara achitya; asi anoomesa moyo wake achawira muchakaipa.
  17328. Pro 28:15 Mutungamiriri wakaipa pamusoro pevanhu varombo ishumba inoomba nebere rinopota-pota.
  17329. Pro 28:16 Muchinda anoshaiwa kunzwisisa kukuru anopamhidzirawo manikidzo; asi anovenga kuwana kusakarurama anorebesa mazuva.
  17330. Pro 28:17 Munhu, anomanikidzwa neropa remweya, achatizira kugomba; ngavarege kumutsigira.
  17331. Pro 28:18 Anofamba zvakarurama achaponeswa; asi wakatsauka panzira mbiri achawa pakarepo.
  17332. Pro 28:19 Anorima munda wake achaguta zvekudya; asi anodzingirira zvisina maturo achaguta urombo.
  17333. Pro 28:20 Munhu akatendeka kwazvo achapamhidzira maropafadzo; asi anokurumidza kufuma haangashaiwi mhosva.
  17334. Pro 28:21 Kutarisa zviso hakuna kunaka, nokuti murume achatadza nekuda kwechimedu chechingwa.
  17335. Pro 28:22 Anomhanyira kufuma munhu ane ziso rakaipa, uye haazivi kuti kushaiwa kuchauya kwaari.
  17336. Pro 28:23 Anotsiura munhu achazowana nyasha pashure, kupfuura anobata kumeso nerurimi.
  17337. Pro 28:24 Anopamba baba vake kana mai vake, achiti: Hachisi chitadzo; ishamwari yemuparadzi.
  17338. Pro 28:25 Ane mweya usingagutsikani anomutsa gakava; asi anovimba naJehovha achakodzwa.
  17339. Pro 28:26 Anovimba nemoyo wake, ibenzi; asi anofamba neuchenjeri achanunurwa.
  17340. Pro 28:27 Anopa kumurombo haangashaiwi; asi anoviga meso ake achava nezvituko zvizhinji.
  17341. Pro 28:28 Kana vakaipa vachisimuka, munhu anovanda; asi kana vachiparara, vakarurama vanowanda.
  17342. Pro 29:1 Munhu anoti achitsiurwa kazhinji anoomesa mutsipa achagurwa pakarepo, uye hapangavi nekuporeswa.
  17343. Pro 29:2 Panowanda vakarurama, vanhu vanofara, asi pakutonga kwevakaipa, vanhu vanogomera.
  17344. Pro 29:3 Munhu anoda njere anofadza baba vake, asi shamwari yezvifeve inoparadza fuma.
  17345. Pro 29:4 Mambo anosimbisa nyika nemutongo wakarurama; asi munhu wekugamuchira zvipo anoiparadza.
  17346. Pro 29:5 Munhu anobata wekwake kumeso anotandira nhanho dzake mumbure.
  17347. Pro 29:6 Pachitadzo chemunhu wakaipa pane musungo; asi wakarurama achaimba achifara.
  17348. Pro 29:7 Wakarurama anoziva nyaya yevarombo; wakaipa haanzwisisi ruzivo.
  17349. Pro 29:8 Vanhu vanoshora vanotungidza guta; asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
  17350. Pro 29:9 Munhu wakachenjera ane mhosva nemunhu benzi, kunyange akatsamwa, kunyange achiseka, asi hapana zororo.
  17351. Pro 29:10 Vanhu venyota yeropa vanovenga wakakwana; asi vechokwadi vanotsvaka mweya weupenyu wake.
  17352. Pro 29:11 Benzi rinobudisa mweya waro wose; asi wakachenjera anoupfimbika.
  17353. Pro 29:12 Mutongi anoteerera mashoko enhema, varanda vake vose vakaipa.
  17354. Pro 29:13 Murombo nemunhu wemanikidzo vanosangana; Jehovha anovhenekera meso avo vari vaviri.
  17355. Pro 29:14 Mambo anotonga varombo nekutendeka, chigaro chake cheushe chinomiswa nekusingaperi.
  17356. Pro 29:15 Shamhu nekutsiura zvinopa uchenjeri; asi mwana anongoregererwa anonyadzisa mai vake.
  17357. Pro 29:16 Pakuwanda kwevakaipa, chitadzo chinowanda; asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
  17358. Pro 29:17 Rairira mwanakomana wako, achakuzorodza; hongu, achapa mafaro kumweya weupenyu wako.
  17359. Pro 29:18 Pasina chiratidzo, vanhu vanoregwa; asi anochengeta murairo wakaropafadzwa.
  17360. Pro 29:19 Muranda haangarairwi nemashoko, kunyange achinzwisisa, asi haangapinduri.
  17361. Pro 29:20 Unoona here munhu anokurumidza pamashoko ake? Benzi rine tariro iri nani pana iye.
  17362. Pro 29:21 Anozhemwaidza muranda wake kubva paudiki, mugumo wake achavawo mwanakomana.
  17363. Pro 29:22 Munhu wakatsamwa anomutsa gakava; uye munhu ane hasha anowedzera chitadzo.
  17364. Pro 29:23 Kuzvikudza kwemunhu kuchamudukupisa; asi ane mweya unozvininipisa achava nerukudzo.
  17365. Pro 29:24 Anogovana nembavha anovenga mweya weupenyu wake; anonzwa chituko ndokusataura.
  17366. Pro 29:25 Kutya vanhu kunouisa musungo; asi anovimba naJehovha achaiswa pakakwirira akachengetedzeka.
  17367. Pro 29:26 Vazhinji vanotsvaka chiso chemutongi; asi kutonga kweumwe neumwe kunobva kuna Jehovha.
  17368. Pro 29:27 Munhu asakarurama chinyangadzo kune vakarurama; asi wechokwadi panzira chinyangadzo kune wakaipa.
  17369. Pro 30:1 Mashoko aAguri, mwanakomana waJake muMasa. Murume anoti kuna Itiyeri, [iko] kuna Itiyeri naUkari:
  17370. Pro 30:2 Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura munhu upi neupi; uye handina njere dzemunhu.
  17371. Pro 30:3 Uye handina kudzidza uchenjeri, kana kuziva ruzivo rwevatsvene.
  17372. Pro 30:4 Ndiyani wakakwira kumatenga ndokuburuka? Ndiyani wakaunganidza mhepo mumaoko ake? Ndiyani wakasungirira mvura zhinji munguvo? Ndiyani wakasimbisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiyani, uye zita remwanakomana wake ndiyani, kana uchiziva?
  17373. Pro 30:5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; iye inhovo kune vanotizira kwaari.
  17374. Pro 30:6 Usawedzera pamashoko ake, zvimwe akutsiure, uye ukawanikwa uri murevi wenhema.
  17375. Pro 30:7 Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; musandirambira izvo ndisati ndafa.
  17376. Pro 30:8 Bvisai kure neni zvisina maturo neshoko renhema; musapa kwandiri urombo kana ufumi; mundipe zvekudya zvemugove wangu.
  17377. Pro 30:9 Zvimwe ndigute ndikurambei ndokuti: Jehovha ndiyani? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, ndibate zita raMwari wangu pasina.
  17378. Pro 30:10 Usanyeya muranda kuna tenzi wake, zvimwe akutuke ukawanikwa une mhosva.
  17379. Pro 30:11 Zera rinotuka baba varo, uye risingaropafadzi mai varo.
  17380. Pro 30:12 Zera rakachena pameso aro, asi harina kusukwa patsvina yaro.
  17381. Pro 30:13 Zera meso aro akasimukira, nemafunhiro emeso aro akakwidzwa.
  17382. Pro 30:14 Zera mazino aro minondo, uye shaya dzaro mapanga, kudya varombo kubva panyika nevanoshaiwa kubva pavanhu.
  17383. Pro 30:15 Chinwaropa chine vanasikana vaviri vanoti: Ipa! Ipa! Zvitatu izvi hazviguti; zvina hazvina kuti: Zvakwana!
  17384. Pro 30:16 Guva, nechizvaro chiri mhanje, nyika isingaguti mvura, nemoto usingati: Zvakwana!
  17385. Pro 30:17 Ziso rinoseka baba, uye rinoshora kuteerera mai, makunguvo emupata acharinongora, uye vana vegondo vacharidya.
  17386. Pro 30:18 Zvinhu izvi zvitatu chishamiso chikuru kwandiri, hongu, zvina zvandisina kuziva:
  17387. Pro 30:19 Nzira yegondo mumatenga; nzira yenyoka paruware; nzira yechikepe pamoyo pegungwa; nenzira yemurume pamusikana.
  17388. Pro 30:20 Yakadaro nzira yemukadzi chifeve: Chakadya chikapukuta muromo wacho, ndokuti: Handina kuita chakaipa.
  17389. Pro 30:21 Nyika inodedera nekuda kwezvinhu zvitatu; hongu, nekuda kwezvina zvaisingagoni kutakura:
  17390. Pro 30:22 Nekuda kwemuranda kana achitonga; uye benzi kana raguta zvekudya;
  17391. Pro 30:23 nekuda kwemukadzi anovengwa kana achiwanikwa, nemurandakadzi kana achigara nhaka yatenzikadzi wake.
  17392. Pro 30:24 Zvina izvi zvidiki zvenyika, zvakadaro zvakachenjera, zvakachenjedzwa:
  17393. Pro 30:25 Majuru, rudzi rwusina simba, zvakadaro anogadzirira zvekudya zvawo muzhizha.
  17394. Pro 30:26 Mbira, rudzi rwusina simba, zvakadaro dzinoita imba yadzo mudombo.
  17395. Pro 30:27 Mhashu hadzina mambo, zvakadaro dzinobuda dzose dzakaparadzana nemapoka.
  17396. Pro 30:28 Chipfira chinobatirira nemaoko maviri, uye chiri mumizinda yamambo.
  17397. Pro 30:29 Zvitatu izvi zvinotsika zvakanaka, hongu zvina zvinofamba zvakanaka:
  17398. Pro 30:30 Shumba ine simba pakati pemhuka, isingadzokeri shure nekuda kwechiso chaani kana ani.
  17399. Pro 30:31 Mhuka yakasunga chiuno; kana nhongo; namambo ane boka revarwi.
  17400. Pro 30:32 Kana wakava benzi nekuzvikudza, uye kana wakaronga chakaipa: Ruoko mumuromo.
  17401. Pro 30:33 Nokuti mukaka wakamiminwa unobudisa ruomba, nemhino dzadzvanyiwa dzinobudisa ropa, uye hasha dzambandidzirwa dzinobudisa gakava.
  17402. Pro 31:1 Mashoko aRemueri mambo; mutoro mai vake wavakamudzidzisa.
  17403. Pro 31:2 Sei, mwanakomana wangu? Uye sei, mwanakomana wechizvaro changu? Uye sei, mwanakomana wemhiko dzangu?
  17404. Pro 31:3 Usapa simba rako kuvakadzi, kana nzira dzako pakuparadza madzimambo.
  17405. Pro 31:4 Hazvisi zvemadzimambo, Remueri, hazvisi zvemadzimambo kunwa waini, kana zvemachinda kushuva zvinwiwa zvinodhaka.
  17406. Pro 31:5 Zvimwe anwe ndokukanganwa chimiso, ndokushandura mutongo weumwe neumwe wevanakomana vekutambudzika.
  17407. Pro 31:6 Ipai zvinwiwa zvinodhaka kune oparara, newaini kune anorwadziwa pamweya weupenyu.
  17408. Pro 31:7 Ngaanwe akanganwe urombo hwake, uye asarangarirazve kutambudzika kwake.
  17409. Pro 31:8 Shamisira mbeveve muromo wako, mhaka yevose vakatemerwa kuparara.
  17410. Pro 31:9 Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, uye umiririre murombo neanoshaiwa.
  17411. Pro 31:10 Ndiyani angawana mukadzi anoshingairira zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mabwe anokosha.
  17412. Pro 31:11 Moyo wemurume wake wakavimba iye, kuti asashaya chakapambiwa.
  17413. Pro 31:12 Anomuitira zvakanaka, uye kwete zvakaipa, mazuva ose eupenyu hwake.
  17414. Pro 31:13 Anotsvaka mvere neruchinda, uye anoshanda nemufaro wemaoko ake.
  17415. Pro 31:14 Wakafanana nezvikepe zvemushambadziri; anouisa zvekudya zvake kubva kure.
  17416. Pro 31:15 Anomuka huchiri usiku, nekupa zvekudya kuimba yake, nemugove wezuva kuvarandakadzi vake.
  17417. Pro 31:16 Anorangarira munda ndokuutora; kubva pachibereko chemaoko ake wakadzvara munda wemizambiringa.
  17418. Pro 31:17 Anosunga chiuno chake nesimba, nekusimbisa maoko ake.
  17419. Pro 31:18 Wakaona kuti kushambadzira kwake kwakanaka; mwenje wake haudzimi usiku.
  17420. Pro 31:19 Wakatambanudzira maoko ake kune chirukiso; uye maoko ake akabata chirukwa.
  17421. Pro 31:20 Anotandavadzira ruoko rwake kumurombo; uye anotandavadzira maoko ake kune anoshaiwa.
  17422. Pro 31:21 Haatyiri magada echando veimba yake, nokuti veimba yake yose vakapfekedzwa zvitsvuku.
  17423. Pro 31:22 Anozviitira mitsamhiro ine ukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nemutsvuku.
  17424. Pro 31:23 Murume wake anozikanwa pamasuwo, pakugara kwake nevakuru venyika.
  17425. Pro 31:24 Anoita micheka yakapfava ndokutengesa, uye anopa mutengesi chisungo chechiuno.
  17426. Pro 31:25 Simba nerukudzo zvipfeko zvake, uye anoseka pazuva rinotevera.
  17427. Pro 31:26 Anoshamisa muromo wake neuchenjeri; uye murairo weunyoro uri parurimi rwake.
  17428. Pro 31:27 Anocherekedza nzira dzeveimba yake, uye chingwa cheusimbe haadyi.
  17429. Pro 31:28 Vana vake vanomuka, vachiti wakaropafadzwa; murume wakewo anomurumbidza achiti:
  17430. Pro 31:29 Vakunda vazhinji vakaita neumhare, asi iwe wakakwira pamusoro pavo vose.
  17431. Pro 31:30 Kunaka kunonyengera, uye unaku hahuna maturo; mukadzi anotya Jehovha ndiye acharumbidzwa.
  17432. Pro 31:31 Chimupai zvinobva pachibereko chemaoko ake; uye mabasa ake ngaamurumbidze pamasuwo
  17433. Ecc 1:1 Mashoko eMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusarema.
  17434. Ecc 1:2 Kushaya maturo kwezvisina maturo, anoreva Muparidzi; kushaya maturo kwezvisina maturo; zvose hazvina maturo!
  17435. Ecc 1:3 Munhu achawanei pakushingaira kwake kose kwaanoshingaira pasi pezuva?
  17436. Ecc 1:4 Zera rinoenda, uye zera rinouya; asi nyika imire kusvika rinhi narinhi.
  17437. Ecc 1:5 Zuva rinobudawo, uye zuva rinovira; uye richitakwairira kunzvimbo kwarinobuda.
  17438. Ecc 1:6 Mhepo inoenda kuchamhembe, ichitendeukira kumaodzanyemba; ichitendeuka tendeuka ichienda; uye mhepo inodzokera pakutenderera kwayo.
  17439. Ecc 1:7 Nzizi dzose dzinoenda mugungwa, zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi ndiko kwadzinodzokerazve.
  17440. Ecc 1:8 Zvinhu zvose zvinonetesa; hakuna munhu anogona kuzvitaura; ziso hariguti nekuona, uye nzeve haizari nekunzwa.
  17441. Ecc 1:9 Chakambovapo ndicho chichazovapo; uye chakamboitwa ndicho chichazoitwa; uye hapana chinhu chitsva pasi pezuva.
  17442. Ecc 1:10 Chinhu chiriko here chinganzi: Tarirai, ichi chitsva? Chaiva chichingovapo kare-kare kutitangira.
  17443. Ecc 1:11 Hapana chirangaridzo chezvinhu zvekutanga; uye nezvinhu zvinouya zvichavako hakungaviwo nechirangaridzo chazvo nevachazovapo shure.
  17444. Ecc 1:12 Ini Muparidzi ndaiva ndiri mambo pamusoro paIsraeri paJerusarema.
  17445. Ecc 1:13 Zvino ndakapa moyo wangu kutsvaka nekunzvera neuchenjeri maererano nezvose zvinoitwa pasi pematenga. Kutambudzika uku kunorwadza Mwari wakapa kuvanakomana vevanhu kuti vabatikane nako.
  17446. Ecc 1:14 Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; uye tarirai, zvose hazvina maturo uye kudzingana kwemhepo.
  17447. Ecc 1:15 Chakakombama hachigoni kutasamurwa; uye chinoshaikwa hachigoni kuverengwa.
  17448. Ecc 1:16 Ini ndakataura nemoyo wangu, ndichiti: Tarira ini ndakakura ndikawedzera uchenjeri pamusoro peumwe neumwe wakanditangira paJerusarema, uye moyo wangu wakaona zvikuru uchenjeri neruzivo.
  17449. Ecc 1:17 Zvino ndakapa moyo wangu pakuziva uchenjeri, nekuziva upengo neupenzi. Ndakaziva kuti kunyange izvi kutambudzika kwemhepo.
  17450. Ecc 1:18 Nokuti mukuwanda kweuchenjeri mune kuwanda kwekusuwa; uye anowedzera ruzivo anowedzera shungu.
  17451. Ecc 2:1 Ndakati ini mumoyo mangu: Uya hako, ndichakuedza nemufaro; uye tarira kuzvakanaka! Asi tarira, izviwo zvaiva zvisina maturo.
  17452. Ecc 2:2 Maererano nekuseka ndakati: Upenzi! Uye maererano nemufaro: Unoitei?
  17453. Ecc 2:3 Ndakatsvaka mumoyo wangu kufadza nyama yangu newaini (asi ndakatungamirira moyo wangu muuchenjeri), nekubatirira paupenzi, kusvika ndaona kuti chii ichi chakanakira vanakomana vevanhu, chavangaita pasi pematenga, neuwandu hwemazuva eupenyu hwavo.
  17454. Ecc 2:4 Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvidzvarira minda yemizambiringa;
  17455. Ecc 2:5 ndakazviitira mabindu nemabindu emiti, ndikadzvara maari miti yemichero yose;
  17456. Ecc 2:6 ndakazviitira madziva emvura, kudiridza kubva maari masango anomera miti;
  17457. Ecc 2:7 ndakatenga varanda nevarandakadzi; ndakava nevakaberekerwa mumba mangu; uye ndakava nefuma zhinji yemombe nemakwai, pamusoro pevose vakanditangira paJerusarema;
  17458. Ecc 2:8 ndakazviunganidzirawo sirivha negoridhe, nefuma yakasanangurwa yemadzimambo neyematunhu; ndakazviwanira vaimbi vechirume nevaimbi vechikadzi, nezvinofadza zvevanakomana vevanhu, vasikana vemarudzi ose.
  17459. Ecc 2:9 Saizvozvo ndakava mukuru uye ndakawanda kupfuura ani nani waivapo pamberi pangu paJerusarema; uye huchenjeri hwangu hwakamira neni.
  17460. Ecc 2:10 Zvose meso angu zvaakakumbira handina kuanyima izvo; handina kunyima moyo wangu mufaro upi neupi; nokuti moyo wangu wakafara nekuda kwekushingaira kwangu kose; uye uyu wakava mugove wangu kubva pakushingaira kwangu kose.
  17461. Ecc 2:11 Zvino ini ndakatendeukira kumabasa angu ose maoko angu aakaita, uye kubasa randakashingairira kuita; zvino tarira, zvose hazvina maturo uye kutambudzika kwemhepo; uye hapana chinobatsira pasi pezuva.
  17462. Ecc 2:12 Zvino ini ndakatendeuka kuona uchenjeri, neupengo ukuru, neupenzi. Nokuti angaitei munhu anotevera mambo? Izvo zvakatoitwa.
  17463. Ecc 2:13 Zvino ini ndakaona kuti kune zvinobatsira pauchenjeri kupfuura upenzi, sezvinobatsira zvechiedza kupfuura rima.
  17464. Ecc 2:14 Wakachenjera, meso ake ari mumusoro make, uye benzi rinofamba murima; neniwo ndakaziva kuti chiitiko chimwe chakaitika kwavari vose.
  17465. Ecc 2:15 Zvino ini ndakati mumoyo mangu: Sezvakaitika kubenzi, zvakaitikawo kwandiri ini; zvino sei ini ndakachenjera kupfuura? Zvino ndakataura mumoyo mangu kuti izviwo hazvina maturo.
  17466. Ecc 2:16 Nokuti hapana kurangarirwa kune wakachenjera kunopfuura kubenzi pakusingaperi; nokuti izvi zviripo ikozvino, mazuva anouya zvinokanganikwa zvose; zvino sei wakachenjera achifa pamwe nebenzi?
  17467. Ecc 2:17 Zvino ndakavenga upenyu, nokuti anosuwisa kwandiri mabasa akaitwa pasi pezuva, nokuti zvose hazvina maturo uye kutambudzika kwemoyo.
  17468. Ecc 2:18 Zvino ini ndakavenga kubata kwangu kose kwandakabata pasi pezuva, nokuti ndinozvisiira munhu anonditevera.
  17469. Ecc 2:19 Zvino ndiyani angaziva kana iye achava wakachenjera kana benzi? Zvakadaro anotonga pamusoro pekubata kwangu kose kwandakabata, uye kuti ndakaita neuchenjeri pasi pezuva! Izviwo hazvina maturo.
  17470. Ecc 2:20 Zvino ini ndakatendeuka kuodza moyo wangu nekubata kose kwandakabata pasi pezuva.
  17471. Ecc 2:21 Nokuti pane munhu kubata kwake kuri muuchenjeri nemuruzivo nemuumhizha; zvakadaro achakupa munhu asina kubata pakuri uve mugove wake. Izviwo hazvina maturo uye chitadzo chikuru.
  17472. Ecc 2:22 Nokuti munhu anei pakubata kwake kose, nekushungurudzika kwemoyo wake kwaanobata pasi pezuva?
  17473. Ecc 2:23 Nokuti mazuva ake ose inhamo huru, nekutambudzika kwake marwadzo; kunyange neusiku moyo wake hauzorori. Kunyange ichi hachina maturo.
  17474. Ecc 2:24 Hakune chinhu chakanaka kumunhu kuti adye anwe aratidze mweya wake zvakanaka pakubata kwake? Izvi ini ndakaonawo kuti zvinobva muruoko rwaMwari.
  17475. Ecc 2:25 Nokuti ndiyani angadya, uye ndiyani anganakirwa kupfuura ini?
  17476. Ecc 2:26 Nokuti anopa munhu wakanaka pamberi pechiso chake uchenjeri neruzivo nemufaro; asi mutadzi anomupa basa rekuunganidza nekututira, kuti ape wakanaka pamberi paMwari. Izviwo hazvina maturo, uye kutambudzika kwemoyo.
  17477. Ecc 3:1 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, uye kune nguva yenyaya imwe neimwe pasi pematenga.
  17478. Ecc 3:2 Nguva yekuberekwa, nenguva yekufa; nguva yekudzvara, nenguva yekudzura chakadzvarwa;
  17479. Ecc 3:3 nguva yekuuraya, nenguva yekuporesa; nguva yekuputsa, nenguva yekuvaka;
  17480. Ecc 3:4 nguva yekuchema misodzi, nenguva yekuseka; nguva yekurira, nenguva yekupembera;
  17481. Ecc 3:5 nguva yekurasa mabwe, nenguva yekuunganidza mabwe; nguva yekumbundikira, nenguva yekuva kure nekumbundikira;
  17482. Ecc 3:6 nguva yekuwana, nenguva yekurasikirwa; nguva yekuchengeta, nenguva yekurasa;
  17483. Ecc 3:7 nguva yekubvarura, nenguva yekusona; nguva yekunyarara, nenguva yekutaura;
  17484. Ecc 3:8 nguva yekuda, nenguva yekuvenga; nguva yehondo, nenguva yerugare.
  17485. Ecc 3:9 Anowanei anoshanda pane zvaanoshingairira?
  17486. Ecc 3:10 Ndakaona basa Mwari raakapa vanakomana vevanhu, kuti vabatikane naro.
  17487. Ecc 3:11 Wakaita chimwe nechimwe chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kuti kusava nemunhu anowana basa Mwari raakaita kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.
  17488. Ecc 3:12 Ndinoziva kuti hakuna chakanaka pakati pavo kunze kwekufara nekuita zvakanaka paupenyu hwake.
  17489. Ecc 3:13 Uyewo kuti munhu umwe neumwe adye nekunwa, anakirwe nezvakanaka zvekubata kwake kose; kunova chipo chaMwari.
  17490. Ecc 3:14 Ndinoziva kuti chipi nechipi Mwari chaanoita chichavapo nekusingaperi; hakuna chingawedzerwa kwachiri uye hakuna chingatapudzwa kwachiri; uye Mwari wakazviita, kuti vatye pamberi pake.
  17491. Ecc 3:15 Zvaiva zviripo zviripo nhasi, nezvichavapo zvakagara zviripo; uye Mwari anoda zvakadzingwa.
  17492. Ecc 3:16 Uyewo ndakaona pasi pezuva nzvimbo yemutongo, uipi hwaiva huripo; nenzvimbo yekururama, uipi hwaiva huripo.
  17493. Ecc 3:17 Ini ndakati mumoyo mangu: Mwari achatonga wakarurama newakaipa, nokuti nguva iripo ipapo yechinangwa chipi nechipi nepamusoro pebasa ripi neripi.
  17494. Ecc 3:18 Ini ndakati mumoyo mangu: Pachimiro chevanakomana vevanhu, kuti Mwari avaratidze pachena kuti vaone kuti ivo pachavo imhuka.
  17495. Ecc 3:19 Nokuti zvinowira vanakomana vevanhu zvinowira mhukawo; ichi chinhu chimwe chinovawira; sekufa kunoita chimwe, chimwe chinofa saizvozvo; hongu zvine kufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo.
  17496. Ecc 3:20 Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva kuguruva, uye zvose zvinodzokera kuguruva.
  17497. Ecc 3:21 Ndiyani anoziva mweya wevanakomana vevanhu unokwira kumusoro, nemweya wemhuka unoburuka kuburukira kuvhu?
  17498. Ecc 3:22 Naizvozvo ndakaona kuti hakuna chiri nani kupfuura kuti munhu afare pamabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiyani achamuunza kuti aone zvichavako shure kwake?
  17499. Ecc 4:1 Zvino ini ndakadzoka ndokuona kumanikidza kose kukuru kunoitwa pasi pezuva; zvino tarira misodzi yevanomanikidzwa, uye havana munyaradzi; uye paruoko rwevamanikidzi vavo pane simba; asi havana munyaradzi.
  17500. Ecc 4:2 Naizvozvo ndakarumbidza vakafa, vakatofa, kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.
  17501. Ecc 4:3 Hongu, asati avapo uri nani pavaviri vavo, pakuti haana kuona basa rakaipa rakaitwa pasi pezuva.
  17502. Ecc 4:4 Zvino ini ndakaona kubata kose, nemibairo yose yebasa, kuti igodo remunhu kubva kune wekwake. Izviwo hazvina maturo uye kutambudzika kwemoyo.
  17503. Ecc 4:5 Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.
  17504. Ecc 4:6 Ruoko rwuzere murunyararo rwunopfuura maoko maviri azere mukubata nekutambudzika kwemoyo.
  17505. Ecc 4:7 Zvino ini ndakadzoka, ndikaona kushaya maturo pasi pezuva.
  17506. Ecc 4:8 Kune umwe uye hakuna wepiri, kunyange haana mwanakomana kana munin’ina, asi kubata kwake kose hakuna mugumo. Uye ziso rake harigutswi nefuma, uye haati: Ndinobatira ani, ndichishaisa mweya weupenyu wangu zvakanaka? Izviwo hazvina maturo, hongu, kutambudzika kunoshungurudza.
  17507. Ecc 4:9 Vaviri vari nani pane umwe, pakuti vane mubairo wakanaka mukubata kwavo.
  17508. Ecc 4:10 Nokuti kana vakawa, umwe achasimudza shamwari yake; asi ane nhamo uyo ari oga kana akawa; nokuti hapana wepiri kumumutsa.
  17509. Ecc 4:11 Uye kana vaviri vachirara pamwe, vane rudziira; asi umwe angava nerudziira sei?
  17510. Ecc 4:12 Zvino kana umwe akamukunda ari oga, vaviri vachamira kumurwisa; uye rwonzi rwemutatu harungakurumidzi kudamburwa.
  17511. Ecc 4:13 Jaya murombo rakachenjera riri nani pana mambo mutana benzi, asingachazivi kutsiurwa.
  17512. Ecc 4:14 Nokuti anobuda mutirongo kuti azova mambo; kunyangewo paushe hwake akaberekwa ari murombo.
  17513. Ecc 4:15 Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, pamwe nemukomana wechipiri achamira pachinzvimbo chake.
  17514. Ecc 4:16 Hakuna mugumo kuvanhu vose, kune vose vakavatangira; kunyange vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, izviwo hazvina maturo nekutambudzika kwemoyo.
  17515. Ecc 5:1 Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; uye swederera kuteerera pane kupa chibairo chemapenzi; nokuti haazivi kuti anoita chakaipa.
  17516. Ecc 5:2 Usakurumidzisa nemuromo wako, uye moyo wako ngaurege kukurumidza kubudisa shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kumatenga, iwewo uri panyika; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.
  17517. Ecc 5:3 Nokuti chiroto chinouya neuwandu hwebasa, uye inzwi rebenzi neuwandu hwemashoko.
  17518. Ecc 5:4 Paunopika mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa, nokuti hakuna mufaro kumapenzi; zadzisa icho chawakapika.
  17519. Ecc 5:5 Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingazadzisi.
  17520. Ecc 5:6 Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; uye usareva pamberi pemutumwa kuti imhosho; Mwari achatsamwirei inzwi rako, akaparadza basa remaoko ako?
  17521. Ecc 5:7 Nokuti pauwandu hwezviroto nemashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.
  17522. Ecc 5:8 Kana uchiona kumanikidzwa kwemurombo, nekupambwa kwekururama nemutongo mudunhu, usashamiswa nechinhu, nokuti ari pamusoro pekumusoro anocherekedza, uye kune vakuru pamusoro pavo.
  17523. Ecc 5:9 Mubairo wenyika ndewe vose; mambo anoshandirwa nemunda.
  17524. Ecc 5:10 Anoda mari haagutsikani nemari, uye ani nani anoda zvakawanda, haangagutsikani nezvakawanda. Izviwo hazvina maturo.
  17525. Ecc 5:11 Mukuwanda kwezvinhu vadyi vazvo vanowanda; uye zvinobatsirei kuvamwene vazvo kunze kwekuona nemeso avo?
  17526. Ecc 5:12 Hope dzeanoshanda dzinotapira, angava adya zvishoma kana zvakawanda; asi kuguta kwemufumi hakumutenderi kurara.
  17527. Ecc 5:13 Pane chakaipa chinorwadza chandakaona pasi pezuva: Fuma inochengeterwa vamwene vayo, ive kutambudzika kwavo.
  17528. Ecc 5:14 Zvino fuma iyo inoparara nebasa rakaipa; nepaanobereka mwana, hamuna chinhu muruoko rwake.
  17529. Ecc 5:15 Sekubuda kwake mudumbu ramai vake, achadzoka asina chinhu, achienda sekuuya kwake; uye haangatori chinhu pakubata kwake chaangaenda nacho muruoko rwake.
  17530. Ecc 5:16 Neichiwo chakaipa chinorwadza: Sezvaakangouya, saizvozvo anoenda; zvino chii chinowanikwa kune anotamburira mhepo?
  17531. Ecc 5:17 Mazuva ake osewo anodyira murima, nekushushikana kukuru, neutenda hwake, nekutsamwa.
  17532. Ecc 5:18 Tarira, zvandakaona ini, zvakafanira zvakanaka kudya nekunwa nekuona zvakanaka pakubata kwake kose kwaakabata pasi pezuva, uwandu hwemazuva eupenyu hwake Mwari hwaakapa kwaari, nokuti ndiwo mugove wake.
  17533. Ecc 5:19 Uye munhu wose Mwari waakapa fuma neufumi, ndokumupa simba rekudya pazviri, nekugamuchira mugove wake, nekufara pabasa rake, ichi ndicho chipo chaMwari.
  17534. Ecc 5:20 Nokuti haangarangariri zvikuru mazuva eupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro wemoyo wake.
  17535. Ecc 6:1 Pane chakaipa chandakaona pasi pezuva, uye chikuru pavanhu:
  17536. Ecc 6:2 Munhu Mwari waanopa kwaari fuma, neufumi, nerukudzo, kuti asashaiwa pamweya weupenyu wake pazvose zvaanoshuva, asi Mwari asingamupi simba kuti adye pairi, asi mutorwa anoidya. Ichi hachina maturo, uye ichi chirwere chakaipa.
  17537. Ecc 6:3 Kana munhu akabereka zana, ndokurarama makore mazhinji, kuti mazuva emakore ake ave mazhinji, asi mweya weupenyu wake usingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa, ndinoti gavamwedzi riri nani pana iye.
  17538. Ecc 6:4 Nokuti anopinda mukushaya maturo, uye anoenda murima, uye zita rake rinofukidzwa murima.
  17539. Ecc 6:5 Kunyange zuva haana kuriona uye haana kuziva, uyu ane zororo guru kukunda uyo.
  17540. Ecc 6:6 Hongu, kunyange akararama makore zvuru zvakapetwa kaviri, zvakadaro asina kuona chakanaka, vose havaendi here kunzvimbo imwe?
  17541. Ecc 6:7 Kubata kose kwemunhu ndekwemuromo wake; zvakadarowo chishuwo hachizadzwi.
  17542. Ecc 6:8 Nokuti wakachenjera anei kupfuura benzi? Anei murombo anoziva kufamba pamberi pevapenyu?
  17543. Ecc 6:9 Kuona kwemeso kuri nani pane kufamba kwechishuwo. Izviwo hazvina maturo uye kutambudzika kwemoyo.
  17544. Ecc 6:10 Chinhu chakavapo chakatotumidzwa zita racho; uye zvinozikanwa kuti munhu; uye haagoni kupikisana neakasimba kumupfuura.
  17545. Ecc 6:11 Nokuti zvinhu zvizhinji zvinowanza kushaya maturo; zvinobatsirei kumunhu?
  17546. Ecc 6:12 Nokuti ndiyani anoziva zvakanakira munhu muupenyu, uwandu hwemazuva eupenyu hwake husina maturo hwaakaita semumvuri? Nokuti ndiyani angaudza munhu izvo zvichavako shure kwake pasi pezuva?
  17547. Ecc 7:1 Zita [rakanaka] riri nani pane chizoro chakanaka, nezuva rekufa pane zuva rekuzvarwa kwake.
  17548. Ecc 7:2 Zviri nani kuenda kuimba yekuchema, pane kuenda kuimba yemabiko; nokuti ndiwo mugumo wemunhu wose; uye mupenyu achazviisa mumoyo make.
  17549. Ecc 7:3 Kushungurudzika kuri nani pane kuseka, nokuti nekusuwa kwechiso moyo unoitwa nani.
  17550. Ecc 7:4 Moyo wevakachenjera uri muimba yekuchema, asi moyo wemapenzi uri muimba yemufaro.
  17551. Ecc 7:5 Zviri nani kunzwa kutsiura kwewakachenjera, pakuti munhu anzwe rwumbo rwemapenzi.
  17552. Ecc 7:6 Nokuti sekubarika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwebenzi. Uye izviwo hazvina maturo.
  17553. Ecc 7:7 Zvirokwazvo manikidzo inopenza wakachenjera; uye chipo chinoparadza moyo.
  17554. Ecc 7:8 Mugumo wechinhu uri nani pane kutanga kwacho; ane moyo murefu ari nani pane ane kuzvikudza kwemweya.
  17555. Ecc 7:9 Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chemapenzi.
  17556. Ecc 7:10 Usati: Zvinoitwa sei kuti mazuva ekutanga aiva nani pane awa? Nokuti naizvozvi haubvunzi neuchenjeri.
  17557. Ecc 7:11 Uchenjeri hwakanaka pamwe nenhaka; uye ruyamuro kune vanoona zuva.
  17558. Ecc 7:12 Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mari chitaviridzo, asi kuva nani kweruzivo kuti hunopa upenyu kuvene vahwo.
  17559. Ecc 7:13 Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiyani anogona kutasanura chaakaminamisa?
  17560. Ecc 7:14 Fara muzuva rekubudirira, asi rangarira muzuva rechakaipa; nairori Mwari wakariita rikava seroro, kusvika pachinangwa chekuti munhu asawana chinhu shure kwake.
  17561. Ecc 7:15 Zvose ndakazviona pamazuva ekushaya maturo kwangu: Aripo wakarurama anoparara mukururama kwake, uye aripo muiti wezvakaipa anorebesa upenyu mukuipa kwake.
  17562. Ecc 7:16 Usava wakarurama kupfuurikidza, uye usazviita wakachenjera kupfuurikidza; unozviparadzirei?
  17563. Ecc 7:17 Usava wakaipa kupfuurikidza, uye usava benzi; unofirei pasati pari panguva yako?
  17564. Ecc 7:18 Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uyewo kuti usabvisa ruoko rwako pane ichocho; nokuti anotya Mwari achapukunyuka pazviri zvose.
  17565. Ecc 7:19 Uchenjeri hunosimbisa wakachenjera kupfuura vatongi gumi vari muguta.
  17566. Ecc 7:20 Nokuti hakuna munhu wakarurama panyika anoita zvakanaka akasatadza.
  17567. Ecc 7:21 Uye usaisa moyo wako pamashoko ose avanotaura, kuti usanzwa kuti muranda wako anokutuka.
  17568. Ecc 7:22 Nokuti panguva zhinjiwo moyo wako unoziva kuti newe unotuka vamwe.
  17569. Ecc 7:23 Zvose izvi ndakazvicherekedza neuchenjeri, ndikati: Ndichachenjera; asi zvaiva kure neni.
  17570. Ecc 7:24 Zviri kure, nezvakadzika zvikuru, ndiyani achazviwana?
  17571. Ecc 7:25 Ini ndakatendeuka, nemoyo wangu, kuziva nekunzvera nekutsvaka uchenjeri, nechinangwa, nekuziva kutadza kweupenzi, uye utununu hweupengo ukuru.
  17572. Ecc 7:26 Zvino ndakawana zvinovava kupfuura rufu: Mukadzi wemoyo wake uri mimbure nemisungo, maoko ake zvisungo. Wakanaka pamberi paMwari achapukunyuka kubva paari, asi mutadzi anobatwa naye.
  17573. Ecc 7:27 Tarira, ndakawana izvi, wakadaro muparidzi, chimwe kune chimwe kuwana chikonzero;
  17574. Ecc 7:28 mweya weupenyu wangu uchiri kuchitsvaka, asi handichiwani. Murume umwe pakati pechuru ndakamuwana, asi mukadzi pakati pavo vose handina kumuwana.
  17575. Ecc 7:29 Tarira, ndakawana ichi chega, kuti Mwari wakaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.
  17576. Ecc 8:1 Ndiyani wakaita sewakachenjera? Uye ndiyani anoziva dudziro yechinhu? Uchenjeri hwemunhu hunopenyesa chiso chake, uye kuoma kwechiso chake hunoshandurwa.
  17577. Ecc 8:2 Ndinoti: Chengeta murairo wamambo, uye nekuda kwemhiko yaMwari.
  17578. Ecc 8:3 Usakurumidza kubva pamberi pake; usamira panyaya yakaipa; nokuti anoita zvose zvaanoda.
  17579. Ecc 8:4 Apo pane shoko ramambo, pane simba; uye ndiyani angati kwaari: Munoitei?
  17580. Ecc 8:5 Anochengeta murairo haazivi chinhu chakaipa; uye moyo wewakachenjera unoziva nguva nemutongo.
  17581. Ecc 8:6 Nokuti panyaya imwe neimwe pane nguva nemutongo; nokuti kushata kwemunhu kukuru pamusoro pake.
  17582. Ecc 8:7 Nokuti haazivi kuti zvichavei; nokuti ndiyani angamuudza kuti zvichava zvarinhi?
  17583. Ecc 8:8 Hapana munhu ane simba pamusoro pemweya kunyima mweya; hapanawo ane simba pazuva rerufu; uye hapana kununurwa pahondo iyo; uye chakaipa hachinganunuri vene vacho.
  17584. Ecc 8:9 Zvose izvi ndakazviona, kuti ndipe moyo wangu kubasa rimwe nerimwe rakaitwa pasi pezuva, nguva munhu paakatonga munhu chive chinhu chakaipa kwaari.
  17585. Ecc 8:10 Zvino saizvozvo ndakaona vakaipa vachivigwa, vaiva vakapinda vakaenda kubva panzvimbo tsvene. Zvino vakakanganikwa muguta mavakaita zvakadaro. Izviwo hazvina maturo.
  17586. Ecc 8:11 Nokuti mutongo pabasa rakaipa haungaitwi nekukurumidza, nekuda kweizvi moyo wevanakomana vevanhu wakazara mukati mavo kuita zvakaipa.
  17587. Ecc 8:12 Kunyange mutadzi akaita chakaipa kazana, mazuva ake akarebeswa, zvakadaro zvirokwazvo ndinoziva kuti zvichavanakira vanotya Mwari, vanotya pamberi pake.
  17588. Ecc 8:13 Asi chakanaka hachingavi kune wakaipa, uye haangarebesi mazuva semumvuri, nokuti haatyi pamberi paMwari.
  17589. Ecc 8:14 Pane chisina maturo chinoitwa panyika, kuti varipo vakarurama vanowirwa zvinoenderana nebasa revakaipa, uye varipo vakaipa vanowirwa zvinoenderana nebasa revakarurama. Ndakati: Ichiwo hachina maturo.
  17590. Ecc 8:15 Naizvozvo ini ndakashambadza mufaro; nokuti munhu haana chakanaka pasi pezuva kunze kwekudya, nekunwa, nekufara; uye izvo zvigare naye pakubata kwake kwemazuva eupenyu hwake Mwari aakamupa pasi pezuva.
  17591. Ecc 8:16 Pandakapa moyo wangu kuziva uchenjeri nekuona basa rakaitwa panyika, nokutiwo pane asingaoni hope nemeso ake masikati neusiku,
  17592. Ecc 8:17 ipapo ndakaona basa rose raMwari, kuti munhu haagoni kuwana basa rakaitwa pasi pezuva, nokuti kunyange munhu achishingaira kutsvaka, haawani, uye kunyange wakachenjera achitaura kuziva, haagoni kuwana.
  17593. Ecc 9:1 Nokuti zvose izvi ndakazviisa mumoyo wangu, kududzira zvose izvi, kuti vakarurama nevakachenjera nemabasa avo zviri muruoko rwaMwari. Hakuna munhu anoziva rudo pamwe neruvengo, zvose zviri pamberi pavo.
  17594. Ecc 9:2 Zvose zvakafanana kune vose, chiitiko chimwe kune wakarurama nekune wakaipa, kune wakanaka nekune wakachena nekune asina kuchena, nekune anobaira nekune asingabairi. Sewakanaka, wakadaro mutadzi, anopika seanotya mhiko.
  17595. Ecc 9:3 Ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chiitiko chimwe chive kune vose, uyewo moyo wevanakomana vevanhu uzere nechakaipa neupengo ukuru pamoyo wavo muupenyu hwavo; uye shure kwazvo vanoenda kuvakafa.
  17596. Ecc 9:4 Nokuti kune vanobatanidzwa kuvapenyu vose kune chivimbo, nokuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.
  17597. Ecc 9:5 Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havazivi chinhu, uye havachinazve mubairo; nokuti kurangarirwa kwavo kwakanganikwa.
  17598. Ecc 9:6 Rudo rwavowo neruvengo rwavo negodo ravo zvaiva zvaparara, uye havachavi nemugove nekusingaperi pane zvose zvinoitwa pasi pezuva.
  17599. Ecc 9:7 Enda, udye zvekudya zvako nemufaro, unwe waini yako nemoyo wakafarisa; nokuti Mwari atofadzwa nemabasa ako.
  17600. Ecc 9:8 Nguva dzose nguvo dzako ngadzive dzakachena, uye mafuta ngaarege kushaikwa mumusoro wako.
  17601. Ecc 9:9 Nakirwa neupenyu nemukadzi wawakada, mazuva ose eupenyu hwekushaya maturo kwako, aakakupa pasi pezuva, mazuva ose ekushaya maturo kwako, nokuti ndiwo mugove wako muupenyu, iwo wekubata kwako kwawakabata pasi pezuva.
  17602. Ecc 9:10 Chipi nechipi ruoko rwako charwunowana kuita, ita nesimba rako, nokuti hakuna basa, kana zano, kana ruzivo, kana uchenjeri muguva maunoenda.
  17603. Ecc 9:11 Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti mujaho hausi wevanomhanyisisa, nehondo haisi yevane simba, nechingwawo hachisi chevakachenjera, uyewo fuma haisi yevane ruzivo, nenyashawo hadzisi dzenyanzvi, nokuti nguva nemukana zvakaitika kwavari vose.
  17604. Ecc 9:12 Nokuti munhu haaziviwo nguva yake; sehove dzinobatwa nemumbure wakaipa, uye seshiri dzinobatwa nemusungo, seizvi vanakomana vevanhu vanoteerwa musungo panguva yakaipa, kana ichivawira pakarepo.
  17605. Ecc 9:13 Ndakaonawo ichi pasi pezuva, uchenjeri, uye ukuru kwandiri:
  17606. Ecc 9:14 Kwaiva neguta diki, nevanhu vashoma mukati maro; asi mambo mukuru wakauya mariri, ndokurikomba, ndokurivakira masvingo makuru ekurwisa.
  17607. Ecc 9:15 Zvino makawanikwa mukati maro munhu murombo wakachenjera, zvino akanunura guta neuchenjeri hwake; asi munhu haana kurangarira munhu uyu murombo.
  17608. Ecc 9:16 Ini ndokuti: Uchenjeri huri nani pane simba, asi uchenjeri hwemurombo hunozvidzwa, uye mashoko ake haateererwi.
  17609. Ecc 9:17 Mashoko evakachenjera anonzwika pakudzikama kupfuura kudanidzira kwemutungamiriri pakati pemapenzi.
  17610. Ecc 9:18 Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo; uye mutadzi umwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
  17611. Ecc 10:1 Nhunzi dzakafa dzinodururisa kunhuhwa chizoro chemuvhenganisi wezvinonhuhwira; upenzi ushoma [hunodaro kune] wakakosha nekuda kweuchenjeri nekuda kwerukudzo.
  17612. Ecc 10:2 Moyo wewakachenjera uri kuruoko rwake rwerudyi, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake.
  17613. Ecc 10:3 Zvirokwazvowo benzi parinofamba panzira, pfungwa dzaro dzinosarira, uye rinoti kune umwe neumwe ibenzi.
  17614. Ecc 10:4 Kana mweya wemutongi uchikukwirira, usasiya nzvimbo yako, nokuti kudzikama kunonyaradza zvitadzo zvikuru.
  17615. Ecc 10:5 Pane chakaipa chandakaona pasi pezuva, sechitadzo chinobuda pachiso chemutongi:
  17616. Ecc 10:6 Utununu hunoiswa panzvimbo dzakakwirira zvikuru, uye vakafuma vanogara panzvimbo yakaderera.
  17617. Ecc 10:7 Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, nemachinda achifamba sevaranda panyika.
  17618. Ecc 10:8 Anochera gomba achawira mariri; uye anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.
  17619. Ecc 10:9 Anobvisa mabwe achakuvadzwa nawo; anobanzura huni achava panjodzi nadzo.
  17620. Ecc 10:10 Kana simbi yagomara, uye iye akasarodza mucheto, naizvozvo anofanira kuwedzera simba; uye uchenjeri hunobatsira pakururamisa.
  17621. Ecc 10:11 Kana nyoka ikaruma isina kubviswa uturu, nyanzvi yerurimi haina rubatsiro.
  17622. Ecc 10:12 Mashoko emuromo wewakachenjera ane nyasha, asi miromo yebenzi inorimedza.
  17623. Ecc 10:13 Kutanga kwemashoko emuromo waro upenzi, uye mugumo wemuromo waro upengo hwakashata.
  17624. Ecc 10:14 Zvino benzi rinowanza mashoko; munhu haazivi zvichazovapo; nezvichavapo shure kwake ndiyani achamuudza?
  17625. Ecc 10:15 Kubata kwebenzi kunomunetesa, nokuti haazivi kuenda kuguta.
  17626. Ecc 10:16 Nhamo kwauri iwe nyika, kana mambo wako ari mwana, nemachinda ako achidya mangwanani.
  17627. Ecc 10:17 Wakaropafadzwa iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wevanokudzwa, nemachinda ako achidya panguva yakafanira, kuitira simba uye kwete kudhakwa.
  17628. Ecc 10:18 Neusimbe ukuru nhungo dzinotiva; uye nekusabata kwemaoko imba inodonha.
  17629. Ecc 10:19 Mabiko anoitirwa kuseka, uye waini inofadza vapenyu; asi mari imhinduro yazvo zvose.
  17630. Ecc 10:20 Usatuka mambo, kunyange mumufungo wako; uye mumakamuri emukati eimba yako yekurara usatuka mufumi; nokuti shiri yematenga inoendesa inzwi, uye ane mapapiro anopira shoko.
  17631. Ecc 11:1 Kandira chingwa chako pamusoro pechiso chemvura zhinji, nokuti uchachiwana shure kwemazuva mazhinji.
  17632. Ecc 11:2 Ipa mugove kuvanomwe, kunyangewo kuvasere, nokuti hauzivi kuti chii chakaipa chiri panyika.
  17633. Ecc 11:3 Kana makore azara mvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira kuchamhembe, uye kana kumaodzanyemba, panzvimbo muti paunowira ndipo pauchava.
  17634. Ecc 11:4 Anocherekedza mhepo haangadzvari; neanotarira makore haangakohwi.
  17635. Ecc 11:5 Sezvausingazivi kuti nzira yemweya yakadini kana makuriro emapfupa mudumbu remukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
  17636. Ecc 11:6 Dzvara mbeu dzako mangwanani, uye madekwani usabvisa ruoko rwako; nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichava zvakanaka.
  17637. Ecc 11:7 Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye zvakanakira meso kuona zuva.
  17638. Ecc 11:8 Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji; zvose zvinouya hazvina maturo.
  17639. Ecc 11:9 Fara, jaya, paudiki hwako, uye moyo wako ngaukufadze pamazuva eujaya hwako; uye ufambe nenzira dzemoyo wako, nepakuona kwemeso ako; asi ziva kuti pane izvozvi zvose, Mwari anokuisa pamutongo.
  17640. Ecc 11:10 Naizvozvo bvisa kusuruvara pamoyo wako, ubvise chakaipa panyama yako, nokuti udiki neujaya hazvina maturo.
  17641. Ecc 12:1 Rangarirawo Musiki wako pamazuva eujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, kana makore asvika, pauchazoti: Handina mufaro maari.
  17642. Ecc 12:2 Zuva nechiedza nemwedzi nenyeredzi zvisati zvasvibiriswa, nemakore achidzoka pashure pemvura.
  17643. Ecc 12:3 Pazuva vachengeti veimba pavachadedera, uye varume vesimba vachikotama; uye vakuyi vamira, nokuti vava vashoma; neavo vanotarira nepamahwindo vasvibirirwa;
  17644. Ecc 12:4 nemikova yazarirwa kunzira yekumusha, neruzha rwekukuya rwaderera, uye achimuka neinzwi reshiri, nevakunda vose verwiyo vakotamiswa.
  17645. Ecc 12:5 Zvino vachazotya icho chakakwirira, uye zvinotyisa panzira, uye muti wemuarimondi uchatumbuka, nemhashu ichazvikwekweredza, uye chishuwo chichapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake wekusingaperi, nevachemi vachafamba-famba panzira yemumusha.
  17646. Ecc 12:6 Kusati kwabviswa rwonzi rwesirivha, nembiya yegoridhe isati yaputswa, uye chirongo chisati chaputswa pachitubu, uye ndirayi isati yadambuka patsime,
  17647. Ecc 12:7 uye guruva rinodzokera kuvhu sezvaraiva rakaita; uye mweya unodzokera kuna Mwari wakaupa.
  17648. Ecc 12:8 Kushaya maturo kwezvisina maturo, anoreva muparidzi, zvose hazvina maturo.
  17649. Ecc 12:9 Pamusoro pazvowo nokuti muparidzi waiva akachenjera, waiva achiri kudzidzisa vanhu ruzivo, hongu wakadzamisa pfungwa, akatsvakisisa, akamisa zvakanaka zvirevo zvizhinji.
  17650. Ecc 12:10 Muparidzi wakatsvaka kuwana mashoko anofadza; uye zvakanyorwa zvakarurama, mashoko echokwadi.
  17651. Ecc 12:11 Mashoko evakachenjera akaita sezvibayiso uye sembambo dzakaroverwa dzikadzika, madzishe edziungano, akapiwa nemufudzi umwe chete.
  17652. Ecc 12:12 Pamusoro peizvizve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita mabhuku mazhinji hakuna magumo, uye kudzidza kuzhinji kunonetesa nyama.
  17653. Ecc 12:13 Magumo eshoko rose ranzwikwa ndirori: Itya Mwari, ugochengeta mirairo yake; nokuti izvi ifaniro yemunhu wose.
  17654. Ecc 12:14 Nokuti Mwari achauisa basa rimwe nerimwe pamutongo, nechose chakavanzika, kana chakanaka, uye kana chakaipa
  17655. Sng 1:1 Rwiyo rwenziyo rwuri rwaSoromoni.
  17656. Sng 1:2 Ngaanditsvode netsvodo dzemuromo wake; nokuti rudo rukuru rwako rwuri nani pane waini.
  17657. Sng 1:3 Mafuta ako akanakira kunhuhwira; zita rako chifafaidzo chinonhuhwira chakadururwa; naizvozvo mhandara dzinokuda.
  17658. Sng 1:4 Ndikweve; tichamhanya shure kwako; mambo wakandipinza mudzimba dzake dzemukati; tichafara nekufarisisa mauri; ticharangarira rudo rukuru rwenyu kupfuura waini; vakakuda zvakarurama.
  17659. Sng 1:5 Ndakasviba, asi ndakanaka, vakunda veJerusarema, sematende eKedhari, semaketeni aSoromoni.
  17660. Sng 1:6 Musandicherekedza nokuti ndakasviba, nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira; vakandiita murindikadzi weminda yemizambiringa. Munda wangu wemuzambiringa wangu handina kuurinda.
  17661. Sng 1:7 Ndiudze iwe, mweya wangu wawakada, kuti unofudzira kupi, unorarisa kupi boka masikati; nokuti ndichaitirei sewakafukidzwa kumeso pamapoka eshamwari dzako?
  17662. Sng 1:8 Kana usingazivi, iwe wakanaka zvikuru pakati pevakadzi, buda iwe nematsimba eboka, ufudzire makwayana ako parutivi rwematende evafudzi.
  17663. Sng 1:9 Ndakakufananidza iwe nebhizagadzi pangoro dzaFarao, shamwarikadzi yangu.
  17664. Sng 1:10 Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; mutsipa wako nezvuma zvezvishongo.
  17665. Sng 1:11 Tichakuitira zvirukwa zvegoridhe pamwe nemhete dzesirivha.
  17666. Sng 1:12 Mambo achiri padenderedzwa retafura yake, nadho yangu yakabudisa kunhuhwira kwayo.
  17667. Sng 1:13 Mudiwa wangu kwandiri ihombodo yemura, ichagara pakati pemazamu angu usiku.
  17668. Sng 1:14 Mudiwa wangu kwandiri isumbu remaruva ehena paminda yemizambiringa yeEni-Gedhi.
  17669. Sng 1:15 Tarira, wakanaka, shamwarikadzi yangu; tarira, wakanaka; meso ako akafanana neenjiva.
  17670. Sng 1:16 Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo unofadza. Nemubhedha wedu ibumhudza.
  17671. Sng 1:17 Matanda edzimba dzedu misidhari; mbariro dzedu misiperesi.
  17672. Sng 2:1 Ndiri furauzi reSharoni, ruva remumapani.
  17673. Sng 2:2 Seruva pakati peminzwa, wakadaro mudiwasikana wangu pakati pevakunda.
  17674. Sng 2:3 Semuti wemuapuri pakati pemiti yemudondo, wakadaro mudiwa wangu pakati pevanakomana. Ndakagara mumumvuri wake ndikafara kwazvo; uye chibereko chake chinotapira pamukanwa wangu.
  17675. Sng 2:4 Wakandiisa kuimba yewaini; uye mureza wake pamusoro pangu rudo.
  17676. Sng 2:5 Nditsigirei nezvingwa zvezvibereko zvemuzambiringa zvakaomeswa, ndisimbisei nemaapuri; nokuti ndinorwara nerudo.
  17677. Sng 2:6 Ruoko rwake rweruboshwe rwuri pasi pemusoro wangu; uye ruoko rwake rwerudyi rwunondimbundikira.
  17678. Sng 2:7 Ndinokupikisai, vakunda veJerusarema, nemharapara kana nenondo dzesango, kuti musabvongodza kana kumutsa rudo kusvika rwada.
  17679. Sng 2:8 Inzwi remudiwa wangu! Tarirai iye anouya, achikwakuka pamusoro pemakomo, achiuruka pamusoro pezvikomo.
  17680. Sng 2:9 Mudiwa wangu wakaita semharapara kana mhuru yenondo; tarirai, wakamira seri kwerusvingo rwedu; achidongorera pamahwindo; anozviratidza pazvitanda zvemahwindo.
  17681. Sng 2:10 Mudiwa wangu wakapindura akati kwandiri: Simuka iwe, shamwarikadzi yangu, wakanaka wangu, iwe hande!
  17682. Sng 2:11 Nokuti, tarira, chando chapfuura; mvura yapera, iyo yaenda.
  17683. Sng 2:12 Maruva oonekwa panyika; nguva yekuimba yasvika, neinzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.
  17684. Sng 2:13 Muti wemuonde waibvisa maonde awo mambishi, uye mizambiringa ine maruva yobudisa kunhuhwira. Simuka iwe, shamwarikadzi yangu, wakanaka wangu, iwe hande!
  17685. Sng 2:14 Njiva yangu, mumikaha yedombo, pakavanda pemawere; ndionese chiso chako, ndinzwise inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chakanaka.
  17686. Sng 2:15 Tibatirei makava, makava madiki, mharadzi dzeminda yemizambiringa; nokuti minda yedu yemizambiringa yava nemaruva.
  17687. Sng 2:16 Mudiwa wangu ndewangu, neni ndiri wake; anofudza pakati pemaruva.
  17688. Sng 2:17 Kusvika ava mambakwedza, nemimvuri yatiza, dzoka, mudiwa wangu, iwe uve semharapara kana semhuru yenondo pamusoro pemakomo eBheteri.
  17689. Sng 3:1 Pamubhedha wangu pausiku uzhinji, ndakamutsvaka iye mweya wangu waunoda; ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
  17690. Sng 3:2 Ndichasimuka ikozvino nditenderere muguta; panzira dzemumusha, nepamapani, ndakamutsvaka iye mweya wangu waunoda; ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
  17691. Sng 3:3 Varindi, vanotenderera muguta vakandiwana; ndikati: Mamuona here iye mweya wangu waunoda?
  17692. Sng 3:4 Ndakati ndapfuura zvishoma pavari, ndokumuwana iye mweya weupenyu wangu waunoda; ndakamubata, uye handina kumurega achienda kusvika ndamupinza muimba yamai vangu, nemukamuri raiye wakandigamuchira muchizvaro.
  17693. Sng 3:5 Ndinokupikisai, vakunda veJerusarema, nemharapara kana nenondo dzesango, kuti musabvongodza kana kumutsa rudo, kusvika rwada.
  17694. Sng 3:6 Ndiyani uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzeutsi, akafafaidzwa zvinonhuhwira zvemura nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nezvakakuyiwa zvose zvemutengesi?
  17695. Sng 3:7 Tarirai mubhedha wake uri waSoromoni; mhare makumi matanhatu dzakaukomberedza, vemhare dzekwaIsraeri.
  17696. Sng 3:8 Vose vakabata munondo, vakadzidziswa hondo; umwe neumwe munondo wake pahudyu yake, nekuda kwekutya pausiku uzhinji.
  17697. Sng 3:9 Mambo Soromoni wakazviitira chigaro chinotakurwa chematanda eRebhanoni.
  17698. Sng 3:10 Wakaita mbiru dzacho nesirivha, pasi pacho negoridhe, chigaro chacho nezveruvara rwehute. Mukati macho makarukirirwa rudo nevakunda veJerusarema.
  17699. Sng 3:11 Budai, imwi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, ane korona mai vake yavakamudzika pazuva rekuwana kwake, nepazuva remufaro wemoyo wake.
  17700. Sng 4:1 Tarira, wakanaka, shamwarikadzi yangu; tarira, wakanaka. Meso ako seenjiva mukati mechifukidzo chako; vhudzi rako rakaita seboka rembudzi, dzinoburuka mugomo reGiriyadhi.
  17701. Sng 4:2 Mazino ako akaita seboka remakwai akaveurwa, anokwira kubva pakushambidzwa; rimwe nerimwe rawo rinobereka mapatya, uye hakuna rakafirwa pakati pawo.
  17702. Sng 4:3 Serwonzi rushava ndizvo zvakaita miromo yako, uye mutauro wako wakanaka; sebandi remupomegiranati ndizvo zvakaita zvavovo zvako mukati mechifukidzo chako.
  17703. Sng 4:4 Mutsipa wako wakaita seshongwe yaDhavhidhi, yakavakwa kuva imba yezvombo, kwakaremberera pairi nhovo churu, dzose dziri nhovo dzemhare.
  17704. Sng 4:5 Mazamu ako maviri akaita sevana vaviri vemharapara, vari mapatya, vanofura pakati pemaruva.
  17705. Sng 4:6 Kusvika mambakwedza, nemimvuri yatiza, ini ndichaenda kugomo remura, nekuchikomo chezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  17706. Sng 4:7 Iwe wakanaka wose, shamwarikadzi yangu, uye hamuna chipomerwa mauri.
  17707. Sng 4:8 Hande neni kubva kuRebhanoni, mwenga, neni kubva kuRebhanoni. Tarira uri panhongonya yeAmana, panhongonya yeSeniri neHerimoni, pamagara edzishumba, pamakomo eingwe zhinji.
  17708. Sng 4:9 Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga; wanditorera moyo wangu nerimwe remaziso ako, neruketani rwumwe rwemutsipa wako.
  17709. Sng 4:10 Rudo rwako rukuru rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga! Rwuri nani sei rudo rwako rukuru pane waini; nekunhuhwira kwezvifafaidzo zvako zvinonhuhwira kupfuura zvinonhuhwira zvose!
  17710. Sng 4:11 Miromo yako, mwenga, inodonha zinga reuchi; uchi nemukaka zviri pasi perurimi rwako; uye kunhuhwira kwenguvo dzako kwakaita sekunhuhwira kweRebhanoni.
  17711. Sng 4:12 Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga, chitubu chakapfigirwa, tsime rakaiswa chiratidzo.
  17712. Sng 4:13 Mabukira ako ibindu remapomegiranati, rine zvibereko zvakaisvonaka; hena nenaridho.
  17713. Sng 4:14 Naridho nesafironi, karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuhwira, mura negavakava, nezvose zvinonhuhwira zvinokosha.
  17714. Sng 4:15 Chitubu chemabindu, tsime remvura zhinji mhenyu, nedzinoyerera kubva Rebhanoni.
  17715. Sng 4:16 Muka, iwe mhepo yekumaodzanyemba; uye uya, iwe mhepo yekuchamhembe; furidzira pabindu rangu, kuti zvinonhuhwira zvaro zviyerere zvibude. Mudiwa wangu ngaapinde mubindu rake, ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
  17716. Sng 5:1 Ndapinda mubindu rangu, hanzvadzi yangu, mwenga; ndatanha mura yangu pamwe nezvinonhuhwira zvangu; ndadya zinga reuchi hwangu pamwe neuchi hwangu; ndanwa waini yangu pamwe nemukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; inwai, zvirokwazvo inwai zvikuru, vadiwa.
  17717. Sng 5:2 Ndakarara, asi moyo wangu wakamuka; inzwi remudiwa wangu rinogogodza richiti: Ndizarurire, hanzvadzi yangu, shamwarikadzi yangu, njiva yangu, wakakwana wangu; nokuti musoro wangu uzere dova, mhotsi dzangu nemadonhedza eusiku.
  17718. Sng 5:3 Ndabvisa nguvo refu yangu; ndingaipfeka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?
  17719. Sng 5:4 Mudiwa wangu wakapinza ruoko rwake nepaburi regonhi, zvino ura hwangu hwaiva mukusagadzikana nekuda kwake.
  17720. Sng 5:5 Ini ndakasimuka kuzarurira mudiwa wangu; uye maoko angu akadonha mura, neminwe yangu mura inoyerera, pazvibato zvechizarira.
  17721. Sng 5:6 Ini ndakazarurira mudiwa wangu; asi mudiwa wangu waiva atendeuka akapfuura. Mweya wangu wakabuda paakataura; ndakamutsvaka asi handina kumuwana; ndakamudana asi haana kundipindura.
  17722. Sng 5:7 Varindi vanotenderera muguta vakandiwana; vakandirova, vakandikuvadza; vachengeti vemasvingo vakasimudza kwiriti yangu kubva pandiri.
  17723. Sng 5:8 Ndinokupikisai, imwi vakunda veJerusarema, kana mukawana mudiwa wangu, muchamuudzei? Kuti ndinorwara rudo.
  17724. Sng 5:9 Mudiwa wako anopfuura umwe mudiwa nei, iwe, wakanaka pakati pevakadzi? Mudiwa wako anopfuura umwe mudiwa nei, zvaunotipikisa saizvozvo?
  17725. Sng 5:10 Mudiwa wangu wakachena uye mutsvuku, anoonekwa pakati pemazana gumi.
  17726. Sng 5:11 Musoro wake igoridhe rakaisvonaka; mhotsi dzake mapazi, itema segunguvo.
  17727. Sng 5:12 Meso ake akaita senjiva pahova dzemvura, akashambidzwa mumukaka, akarongedzwa zvakanaka.
  17728. Sng 5:13 Matama ake akaita sendima yemiti inonhuhwira, sematutu ezvifafaidzo zvinobudisa mweya unonhuhwira. Miromo yake maruva anodonha mura inoyerera.
  17729. Sng 5:14 Maoko ake akaita sepombi dzegoridhe dzakazadzwa nebheriri; dumbu rake inyanga yenzou inoonekwa, yakafukidzwa nesafiri.
  17730. Sng 5:15 Makumbo ake imbiru dzemabwe machena, dzakateiwa pazvigadziko zvegoridhe rakaisvonaka; kuonekwa kwake kwakaita seRebhanoni, rakasanangurwa semisidhari.
  17731. Sng 5:16 Muromo wake unotapira kwazvo. Zvirokwazvo zvose zvake zvinoshuvika kwazvo. Uyu mudiwa wangu, uye uyu ishamwari yangu, vakunda veJerusarema.
  17732. Sng 6:1 Wakaendepi mudiwa wako, iwe wakanaka pakati pevakadzi? Wakatendeukirepi mudiwa wako, kuti timutsvake pamwe newe?
  17733. Sng 6:2 Mudiwa wangu wakaburukira kubindu rake, kundima dzezvinonhuhwira, kunofura mumabindu, nekuunganidza maruva.
  17734. Sng 6:3 Ini ndiri wemudiwa wangu; uye mudiwa wangu ndewangu; anofura pakati pemaruva.
  17735. Sng 6:4 Wakanaka, shamwarikadzi yangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unotyisa sehondo ine mireza.
  17736. Sng 6:5 Bvisa meso ako kwandiri, nokuti iwo anondikunda. Vhudzi rako rakaita seboka rembudzi dzinoburuka kubva kuGiriyadhi.
  17737. Sng 6:6 Mazino ako akaita seboka remakwayana anokwira kubva pakushambidzwa, nokuti rimwe nerimwe rawo rinobereka mapatya, uye hapana rakafirwa pakati pawo.
  17738. Sng 6:7 Zvavovo zvako zvakaita sechimedu chepomegiranati mukati mechifukidzo chako.
  17739. Sng 6:8 Pane madzihosi makumi matanhatu, nevarongo makumi masere, nemhandara dzisingaverengeki.
  17740. Sng 6:9 Njiva yangu ndeimwe, wakakwana wangu, ndiye umwe oga wamai vake; ndiye wakachena wewakamubereka. Vakunda vakamuona, vakamuti wakaropafadzwa; madzihosi nevarongo, vakamurumbidza.
  17741. Sng 6:10 Ndiyani uyu anotsikitsira semambakwedza, wakanaka semwedzi, wakachena sezuva, anotyisa sehondo ine mireza?
  17742. Sng 6:11 Ndakaburukira kubindu renzungu, kuona mabukira mumupata, kuona kana muzambiringa uchibuka, mapomegiranati anotunga.
  17743. Sng 6:12 Handina kuziva, mweya wangu wakandimisa pangoro dzeumambo dzevanhu vekwedu.
  17744. Sng 6:13 Dzoka, dzoka, muShuramiti; dzoka, dzoka, zvino tichakuyeva. Munoyeverei muShuramiti, sekutamba kwehondo mbiri?
  17745. Sng 7:1 Tsoka dzako dzakanaka sei mushangu, iwe mukunda wemuchinda! Hudyu dzezvidya zvako dzakaita sezvishongo, basa remaoko emhizha.
  17746. Sng 7:2 Guvhu rako rakaita semukombe wakatendereka, usingashaiwi waini yakavhenganiswa; dumbu rako rakaita sedutu rezviyo rakashoshewa nemaruva.
  17747. Sng 7:3 Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri, mapatya emharapara.
  17748. Sng 7:4 Mutsipa wako wakaita seshongwe yenyanga yenzou; meso ako semadziva muHeshibhoni, pasuwo reBhati-Rabhimi. Mhino yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisana neDhamasiko.
  17749. Sng 7:5 Musoro wako pamusoro pako seKarimeri; nemhotsi dzemusoro wako sezveruvara rwehute; mambo wakasungwa mukumonana kwevhudzi.
  17750. Sng 7:6 Wakanaka sei, uye unofadza sei, rudo, pane zvinofadza.
  17751. Sng 7:7 Chimiro chako ichi chakaita semuchindwe, nemazamu ako semasumbu.
  17752. Sng 7:8 Ndakati: Ndichakwira mumuchindwe, ndibate matavi awo; mazamu ako ngaave hawo semasumbu emuzambiringa, nekunhuhwira kwemhino yako semaapuri.
  17753. Sng 7:9 Nematadza emuromo wako sewaini yakanaka, inoenda kumudiwa wangu zvakanaka, ichitaudza miromo yevarere.
  17754. Sng 7:10 Ndiri wemudiwa wangu; nechishuwo chake chiri kwandiri.
  17755. Sng 7:11 Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, ngatirare usiku mumisha.
  17756. Sng 7:12 Ngatifumire kuminda yemizambiringa; tinoona kuti muzambiringa watunga, wabudisa maruva, nekuti mapomegiranati atunga maruva here; ndipapo pandichakupa rudo rwangu rukuru.
  17757. Sng 7:13 Mamandarakisi anobudisa kunhuhwira, nepamikova yedu pane mhando dzose dzezvinonaka kwazvo, zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.
  17758. Sng 8:1 Dai iwe wakaita sehanzvadzi yangu, yakanwa mazamu amai vangu! Dai ndaikuwana panze, ndaikutsvoda; zvirokwazvo havazaindishora.
  17759. Sng 8:2 Ndaikutungamirira, ndikakupinza mumba mamai vangu; vaindidzidzisa; ndaikunwisa zvewaini yakaiswa zvinonhuhwira, zvemuto wemapomegiranati angu.
  17760. Sng 8:3 Ruoko rwake rweruboshwe rwuri pasi pemusoro wangu, uye rudyi rwake rwunondimbundikira.
  17761. Sng 8:4 Ndinokupikisai, vakunda veJerusarema, kuti musabvongodza kana kumutsa rudo kusvika rwada.
  17762. Sng 8:5 Ndiyani uyu anokwira kubva kurenje, akasendama pamudiwa wake? Ndakakumutsa pasi pemiti wemuapuri; ndipo mai vako pavakakutamburira, ndipo pavakakutamburira ivo vakakubereka.
  17763. Sng 8:6 Ndiise sechisimbiso pamoyo wako, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rune simba serufu; godo rine utsinye seguva; mazimbe aro mazimbe emoto, murazvo une simba.
  17764. Sng 8:7 Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; uye mafashame haangarwukukuri. Kana munhu akapa fuma yose yeimba yake nekuda kwerudo, vangaizvidza zvekuizvidza.
  17765. Sng 8:8 Tine hanzvadzi diki, uye isina mazamu; tichaiitirei hanzvadzi yedu pazuva richataurwa nezvake?
  17766. Sng 8:9 Kana ari rusvingo, tichavaka pamusoro pake nhare yesirivha; uye kana ari mukova, tichamukomberedza nemapuranga emusidhari.
  17767. Sng 8:10 Ini ndaiva rusvingo, uye mazamu angu akaita sedzishongwe; panguva iyo ndakava pameso ake seawana rugare.
  17768. Sng 8:11 Soromoni waiva nemunda wemizambiringa paBhaari-Hamoni; wakapa munda wemizambiringa kuvachengeti; umwe neumwe waiuya nezvezvibereko zvawo, makobiri esirivha gumi remazana.
  17769. Sng 8:12 Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; iwe Soromoni, gumi remazana nderako; nemazana maviri ndeevachengeti vezvibereko zvawo.
  17770. Sng 8:13 Iwe unogara mumabindu, shamwari dzinoteerera inzwi rako; ndinzwisewo iro.
  17771. Sng 8:14 Kurumidza, mudiwa wangu, uve iwe semharapara kana mhuru yenondo pamusoro pemakomo ezvinonhuhwira
  17772. Isa 1:1 Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona maererano naJudha neJerusarema pamazuva aUziya, Jotamu, Ahazi, Hezekia, madzimambo aJudha.
  17773. Isa 1:2 Inzwai imwi matenga, uye ipa nzeve iwe nyika, nokuti Jehovha wakataura achiti: Ndakarera nekukurisa vana, asi ivo vakandimukira.
  17774. Isa 1:3 Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro chidyiro chavatenzi vayo; Israeri haazivi, vanhu vangu havanzwisisi.
  17775. Isa 1:4 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremedzwa neuipi, mbeu yevaiti vezvakaipa, vana vanoodza zvinhu! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsraeri, vadzokera shure.
  17776. Isa 1:5 Mucharoverwei zvekare, munongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwara, uye moyo wose waziya.
  17777. Isa 1:6 Kubvira pasi perutsoka kusvika mumusoro hapana patano pauri; asi maronda nepakakuvara nemavanga matsva, haana kusvinwa, uye haana kusungwa, uye haana kunyoroveswa nemafuta.
  17778. Isa 1:7 Nyika yenyu kuparara; maguta enyu apiswa nemoto; nyika yenyu vatorwa vanoipedza pamberi penyu; uye yava kuparara sekupidigurwa nevatorwa.
  17779. Isa 1:8 Uye mukunda weZiyoni wasara sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wemagaka, seguta rakakombwa nehondo.
  17780. Isa 1:9 Dai Jehovha wehondo asina kutisiira vasiiwa vashomanana, tingadai takava seSodhoma, takafanana neGomora.
  17781. Isa 1:10 Inzwai shoko raJehovha, imwi vatongi veSodhoma; ipai nzeve kumurairo waMwari wedu, imwi vanhu veGomora.
  17782. Isa 1:11 Kuwanda kwezvibairo zvenyu kwandiri chii? Anoreva Jehovha. Ndaguta zvipo zvinopiswa zvemakondohwe, nemafuta ezvakakodzwa; neropa renzombe diki, neremakwayana, kana renhongo, handifadzwi nazvo.
  17783. Isa 1:12 Kana muchiuya kuonekwa pamberi pangu, ndiani wakakumbira izvi paruoko rwenyu, kuti mutsike vazhe dzangu?
  17784. Isa 1:13 Musaunzazve chipo chisina maturo; zvinonhuhwira zvinyangadzo kwandiri; kugara kwemwedzi, nesabata, kukokera ungano, handikwanisi; chitadzo, kunyange ungano tsvene.
  17785. Isa 1:14 Kugara kwemwedzi yenyu nemitambo yenyu yakatarwa mweya wangu unozvivenga, izvo mutoro kwandiri; ndaneta nekutakura.
  17786. Isa 1:15 Uye pakutandavadza kwenyu maoko enyu, ndinovanza meso angu kubva kwamuri; uye kana muchiwanza munyengetero, handinzwi; maoko enyu akazara neropa zhinji.
  17787. Isa 1:16 Shambai; muzvinatse; bvisai uipi hwezviito zvenyu kubva pamberi pemeso angu; mirai kuita zvakaipa;
  17788. Isa 1:17 dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai mutongo; nunurai akamanikidzwa; tongerai nherera; kumbirirai chirikadzi.
  17789. Isa 1:18 Uyai ikozvino, titaurirane, anoreva Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita semucheka mutsvuku, zvichava zvichena semagada echando; kunyange zviri zvishava sezvishava-shava, zvichava semakushe emakwai.
  17790. Isa 1:19 Kana muchida, uye muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika.
  17791. Isa 1:20 Asi kana muchiramba, muchikakavara, muchaparadzwa nemunondo; nokuti muromo waJehovha wakataura.
  17792. Isa 1:21 Guta rakatendeka rava chifeve sei! Raiva rizere mutongo, kururama kuchigara mariri, asi ikozvino mhondi zhinji.
  17793. Isa 1:22 Sirivha yako yava ngura; waini yako yakasanganiswa nemvura.
  17794. Isa 1:23 Machinda ako vapanduki, uye ishamwari dzembavha; umwe neumwe anoda fufuro, anodzingana nemibairo; havatongeri nherera, uye nyaya yechirikadzi haisviki kwavari.
  17795. Isa 1:24 Naizvozvo, anoreva Ishe, Jehovha wehondo, ane simba waIsraeri: Haiwa, ndichazvinyaradza pavadzivisi vangu uye ndichazvitsivira kuvavengi vangu.
  17796. Isa 1:25 Zvino ndichatendeusira ruoko rwangu pamusoro pako, ndigonatsa kwazvo ngura yako, ndichabvisa marara ako ose.
  17797. Isa 1:26 Ndichadzosera vatongi vako sepakutanga, nemakurukota ako sepakuvamba; shure kwaizvozvo uchanzi guta rekururama, guta rakatendeka.
  17798. Isa 1:27 Ziyoni richadzikunurwa nemutongo, nevanodzoka varo nekururama.
  17799. Isa 1:28 Zvino kugurwa kwevadariki nekwevatadzi kuchava pamwe chete, uye vanosiya Jehovha vachapera.
  17800. Isa 1:29 Nokuti vachanyara pamusoro pemiouki yamaifarira, uye muchasvoda pamusoro pemabindu amakasanangura.
  17801. Isa 1:30 Nokuti muchava semuouki mashizha awo asvava, uye sebindu risina mvura.
  17802. Isa 1:31 Zvino ane simba achava sefirakisi riri choto, nemuiti waro ave rubari rwemoto, uye zvichatsva zviri zviviri pamwe chete, uye hakuna anodzima.
  17803. Isa 2:1 Shoko Isaya mwanakomana waAmozi raakaona pamusoro paJudha neJerusarema.
  17804. Isa 2:2 Zvino zvichaitika pakupera kwemazuva, gomo reimba yaJehovha richamiswa panhongonya yemakomo, uye richasimudzirwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi ose achadirana kuenda kwariri.
  17805. Isa 2:3 Marudzi mazhinji achaenda agoti: Uyai, uye ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakove; zvino achatidzidzisa zvenzira dzake, uye tichafamba mumakwara ake; nokuti murairo uchabuda paZiyoni, neshoko raJehovha kubva paJerusarema.
  17806. Isa 2:4 Zvino achatonga pakati pemarudzi, uye achatsiura vanhu vazhinji; zvino vachapfura minondo yavo kuita zvikari zvemapadza, nemapfumo avo kuva mapanga ekuchekerera miti; rudzi harwungasimudziri rudzi munondo, uye havangadzidzizve hondo.
  17807. Isa 2:5 Iwe imba yaJakove uyai, tifambe muchiedza chaJehovha.
  17808. Isa 2:6 Nokuti makasiya vanhu venyu, imba yaJakove, nokuti vazere nezvekumabvazuva, uye vavuki sevaFirisitia, uye vanozvifadza nevana vevatorwa.
  17809. Isa 2:7 Zvino nyika yavo izere nesirivha negoridhe; uye hakuna magumo efuma yavo; nenyika yavo izere mabhiza; uye hakuna magumo engoro dzavo.
  17810. Isa 2:8 Nenyika yavo izere zvifananidzo; vanofugamira basa remaoko avo, kune izvo minwe yavo zvayakaita.
  17811. Isa 2:9 Wepasiwo anofugama, uye wepamusoro anozvininipisa. Zvino hamuvagamuchiri.
  17812. Isa 2:10 Pinda mudombo uye vanda muguruva, nekuda kwekutyisa kwaJehovha, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake.
  17813. Isa 2:11 Meso anozvikudza emunhu achaninipiswa, uye manyawi evanhu achakotamiswa. Zvino Jehovha oga achakwiridzirwa nezuva iro.
  17814. Isa 2:12 Nokuti zuva raJehovha wehondo richava pamusoro peumwe neumwe anodada neanozvikudza; nepamusoro peumwe neumwe anozvikwiridzira, zvino achaninipiswa;
  17815. Isa 2:13 nepamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba neyakakwirira; nepamusoro pemiouki yose yeBhashani;
  17816. Isa 2:14 nepamusoro pemakomo ose marefu; nepamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira;
  17817. Isa 2:15 nepamusoro peshongwe imwe neimwe; nepamusoro perusvingo rwumwe nerwumwe rwakashoshewa;
  17818. Isa 2:16 nepamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi; nepamusoro pemifananidzo yose inofadza.
  17819. Isa 2:17 Zvino kuzvikudza kwemunhu kuchakotamiswa, nekuzvikwiridzira kwevanhu kuchaderedzwa. Zvino Jehovha oga achakwiridzirwa nezuva iro.
  17820. Isa 2:18 Zvino zvifananidzo zvichapera chose.
  17821. Isa 2:19 Zvino vachapinda mumapako emabwe, nemumakomba evhu, nekuda kwekutyisa kwaJehovha, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake, pakusimuka kwake kudederesa nyika.
  17822. Isa 2:20 Nezuva iro munhu acharasa zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvegoridhe, zvaakazviitira kuzvinamata, vachizviisa kunhuta nekuzviremwaremwa;
  17823. Isa 2:21 kupinda mumapako emabwe, nemumikaha yemawere, nekuda kwekutyisa kwaJehovha, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake, pakusimuka kwake kudederesa nyika.
  17824. Isa 2:22 Imwi regai mubve pamunhu, kufema kwake kuri mumhino dzake; nokuti anorangarirwa pane chipi?
  17825. Isa 3:1 Nokuti tarirai, Ishe Jehovha wehondo achatora kubva kuJerusarema nekwaJudha mutsigiro nemudonzvo, mutsigiro wose wezvekudya, nemutsigiro wose wemvura;
  17826. Isa 3:2 gamba nemurume wehondo, mutongi nemuporofita, uye muvuki nemukuru;
  17827. Isa 3:3 mukuru wemakumi mashanu, neanogamuchirika pachiso, negurukota, nemhizha yevakachenjera, nemuvuki anoziva.
  17828. Isa 3:4 Uye ndichapa vakomana vave machinda avo, nevana vadiki vachatonga pamusoro pavo.
  17829. Isa 3:5 Zvino vanhu vachamanikidzwa, umwe neumwe, uye umwe newekwake; mwana achava nemanyawi kune mukuru, uye wepasi kune anokudzwa.
  17830. Isa 3:6 Nokuti munhu achabata munin’ina wake weimba yababa vake, achiti: Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu, uye kuparara uku ngakuve pasi peruoko rwako.
  17831. Isa 3:7 Nezuva iro achasimudza inzwi achiti: Handingavi murapi, nokuti mumba mangu hamuna zvekudya uye hamuna zvekupfeka; musandiita mutongi wevanhu.
  17832. Isa 3:8 Nokuti Jerusarema ragumburwa, uye Judha wawa; nokuti rurimi rwavo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, kutsamwisa meso ekubwinya kwake.
  17833. Isa 3:9 Kuonekwa kwezviso zvavo kunovapupurira, uye vanodanidzira chivi chavo seSodhoma; havavanzi. Nhamo kumweya yeupenyu yavo, nokuti vakazviitira zvakaipa.
  17834. Isa 3:10 Reva kune vakarurama kuti zvichanaka. Nokuti vachadya zvibereko zvezviito zvavo.
  17835. Isa 3:11 Nhamo kune wakaipa; zvichamuipira; nokuti mubairo wemaoko ake uchaitwa kwaari.
  17836. Isa 3:12 Vanhu vangu, vamanikidzi vavo vana, uye vakadzi vanotonga pamusoro pavo. Vanhu vangu, vanokutungamirirai vanokutadzisai, uye vanoparadza nzira yemakwara enyu.
  17837. Isa 3:13 Jehovha wasimuka kupikisa, uye wakamira kutonga marudzi.
  17838. Isa 3:14 Jehovha anopinda pamutongo pamwe nevakuru vevanhu vake, nemachinda avo, nokuti imwi makadya kupedza munda wemizambiringa; zvakapambiwa zvemurombo zviri mudzimba dzenyu.
  17839. Isa 3:15 Imwi munopwanyirei vanhu vangu? Uye zviso zvevarombo munokuya; anoreva Ishe Jehovha wehondo.
  17840. Isa 3:16 Jehovha wakatizve: Nekuda kwekuti vakunda veZiyoni vanozvikudza, uye vanofamba vachitatamura mutsipa, nekuchonya maziso, vachifamba vachikwakukira vachienda, uye vachiita magagada nemakumbo avo:
  17841. Isa 3:17 Naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzevakunda veZiyoni negwenyu-kwenyu; uye Jehovha achafukura nhengo dzakavanzika dzavo.
  17842. Isa 3:18 Nezuva iro Ishe achabvisa unaku hweukomba hwemakumbo, nezvuma, nezvedenderedzwa semwedzi,
  17843. Isa 3:19 zvishongo zvinopenya, nezvingetani zvemaoko, nezvifukidziro,
  17844. Isa 3:20 zvishongo zvemusoro, neuketani hwemakumbo, nemabhandi, nezvitende zvezvinonhuhwira, nemazango,
  17845. Isa 3:21 zvimhete, neukomba hwemhino,
  17846. Isa 3:22 nguvo refu dzemitambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama,
  17847. Isa 3:23 nezvioni-oni, nenguvo dzemucheka wakaisvonaka, nemicheka yemusoro, nezvifukidzo.
  17848. Isa 3:24 Zvino zvichaitika kuti pachinzvimbo chezvinonhuhwira pachava nezvinonhuhwa, uye rwodzi pachinzvimbo chebhandi, uye mhanza pachinzvimbo chevhudzi rakarukwa, uye bhandi resaga pachinzvimbo chenguvo yakaisvonaka, kupiswa pachinzvimbo cherunako.
  17849. Isa 3:25 Varume vako vachawa nemunondo, nevane simba vako pahondo.
  17850. Isa 3:26 Zvino masuwo aro achachema nekurira; uye richaitwa dongo richagara pasi.
  17851. Isa 4:1 Zvino nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume umwe, vachiti: Tichadya zvekudya zvedu, uye tichapfeka zvipfeko zvedu; koga rega tidanwe nezita rako; bvisa kunyadzwa kwedu.
  17852. Isa 4:2 Nezuva iro bukira raJehovha richava nerunako uye nekubwinya; uye chibereko chenyika chichava chakaisvonaka nechinoyevedza kune vakapukunyuka vaIsraeri.
  17853. Isa 4:3 Zvino zvichaitika kuti wakasara paZiyoni newakasiiwa paJerusarema zvichanzi kwaari: Mutsvene; wose akanyorerwa upenyu muJerusarema;
  17854. Isa 4:4 Ishe paanenge ashambidza tsvina yevakunda veZiyoni, uye anatsa ropa zhinji reJerusarema kubva mukati maro, nemweya wemutongo, uye nemweya wekupisa.
  17855. Isa 4:5 Zvino Jehovha achasika pamusoro penzvimbo yekugara imwe neimwe pagomo reZiyoni, nepamusoro peungano dzakadanwa dzaro, gore neutsi masikati, nekupenya kwemoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechifukidzo pamusoro pekubwinya kose.
  17856. Isa 4:6 Zvino kuchava netende kuva mumvuri masikati pakupisa, uye rive utiziro, uye rive chivando pamafashame emvura nepamvura.
  17857. Isa 5:1 Rega ndiimbire mudiwa wangu rwiyo rwemudiwa wangu pamusoro pemunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nemunda wemizambiringa pachikomo chakaorera.
  17858. Isa 5:2 Zvino wakaushosha, ndokubudisa mabwe awo, ndokuusima mizambiringa yakaisvonaka, ndokuvaka shongwe mukati mawo, ndokufombora chisviniro chewaini mukati mawo; zvino akatarira kuti uchabereka mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa anonhuhwa.
  17859. Isa 5:3 Zvino ikozvino, vagari veJerusarema, nevarume vaJudha, tongai henyu pakati pangu nemunda wangu wemizambiringa.
  17860. Isa 5:4 Kungadai kwakaitirweizve munda wangu wemizambiringa, chandisina kuita mauri! Sei ndakatarisira kuti uchabereka mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa anonhuhwa?
  17861. Isa 5:5 Zvino regai ndikuzivisei zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, kuti uve ufuro, kuputsa rusvingo rwawo, ugova nzvimbo yekutsikwa-tsikwa.
  17862. Isa 5:6 Zvino ndichauita chakaparadzwa; haungachekererwi uye haungatimbirirwi, asi uchamera minzwa neukato. Ndicharairawo makore kuti asanaisa mvura pamusoro pawo.
  17863. Isa 5:7 Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo iimba yaIsraeri, uye varume vaJudha muti wemafaro ake. Zvino wakamirira mutongo wakarurama, asi tarira, kuparadzwa kweropa, kururama, asi tarira, kuchema.
  17864. Isa 5:8 Nhamo kune vanobatanidza imba neimba, munda nemunda vachiswededzanisa, kusvika pasina nzvimbo, uye imwi muchagariswa muri moga pakati penyika.
  17865. Isa 5:9 Munzeve dzangu Jehovha wehondo wakati: Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, huru nedzakanaka dzisina anogara.
  17866. Isa 5:10 Nokuti maeka gumi emunda wemizambiringa achabereka bati rimwe, nehomeri rembeu richabereka efa.
  17867. Isa 5:11 Vane nhamo vanomuka mangwanani-ngwanani, vachidzingana nezvinwiwa zvinodhaka, vanorivara kusvika kwavira, waini yavapfutidza.
  17868. Isa 5:12 Uye rudimbwa, nembira, ngoma, nenyere, newaini zvaiva pamitambo yavo; asi havana kurangarira basa raJehovha uye havana kuva nehanya nebasa remaoko ake.
  17869. Isa 5:13 Naizvozvo vanhu vangu vachaenda muutapwa nekuda kwekusava neruzivo; nevarume vavo vanokudzwa vane nzara; uye ruzhinji rwavo rwuchaomerwa nenyota.
  17870. Isa 5:14 Naizvozvo Sheori rakazvitatamura nekushamisa muromo waro zvisina chiyero; kusvika kwaburuka rukudzo rwavo, nekuwanda kwavo, neruzha rwavo, neanofara pakati pavo.
  17871. Isa 5:15 Newakaderera achakotamisirwa pasi, newakakwirira achaninipiswa, uye meso eanozvikudza achaninipiswa.
  17872. Isa 5:16 Asi Jehovha wehondo achakwiridzwa pamutongo, naMwari mutsvene achanatswa mukururama.
  17873. Isa 5:17 Zvino makwayana achafura sezvinonzi pamafuro awo, uye vaeni vachadya matongo evakakora.
  17874. Isa 5:18 Nhamo kune vanokweva chitadzo nemakashu asina maturo, nechivi semabote engoro!
  17875. Isa 5:19 Vanoti: Ngaakurumidze, ngaachimbidzikise basa rake, kuti tione; nezano reMutsvene waIsraeri ngariswedere riuye, kuti tizive.
  17876. Isa 5:20 Nhamo kune vanoti kune chakaipa chakanaka, uye kune chakanaka chakaipa; vachiisa rima kuva chiedza, nechiedza kuva rima; vachiisa zvinovava kuva zvinotapira, nezvinotapira kuva zvinovava.
  17877. Isa 5:21 Nhamo kune vakachenjera pameso avo, nevanonzwisisa pamberi pechiso chavo.
  17878. Isa 5:22 Nhamo kumagamba ekunwa waini, nevarume vane simba rekusanganisa zvinwiwa zvinodhaka;
  17879. Isa 5:23 vanoti wakaipa haana mhosva nekuda kwefufuro, vachibvisa kururama kwevakarurama kubva kwavari.
  17880. Isa 5:24 Naizvozvo murazvo wemoto sezvaunopedza hundi uye uswa hwakaoma huchiperera mumurazvo, saizvozvo mudzi wavo uchava sekuora, neruva ravo richapepereka seguruva; nokuti vakaramba murairo waJehovha wehondo, nekushora shoko reMutsvene waIsraeri.
  17881. Isa 5:25 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira vanhu vake, akatandavadza ruoko rwake kuvarwisa, akavarova, kusvika makomo adedera, uye mitumbi yavo yava semarara pakati penzira dzemumusha. Nekuda kwaizvozvo zvose, kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.
  17882. Isa 5:26 Zvino achasimudzira rudzi rwuri kure chiratidzo, nekurwuridzira muridzo rwuri kumugumo wenyika; uye tarirai, nekukurumidza rwuchauya nekuchimbidzika.
  17883. Isa 5:27 Hapana achaneta uye hapana achagumburwa pakati parwo; hapana achatsumwaira, uye hapana acharara, uye hapana achakururirwa bhandi rechiuno charwo, uye hapana achadambukirwa nerukanda rweshangu dzarwo.
  17884. Isa 5:28 Miseve yarwo inopinza, uye uta hwarwo hwose hwakakungwa; mahwanda emabhiza arwo achaverengwa semusara, nemavhiri arwo sechamupupuri.
  17885. Isa 5:29 Kuomba kwarwo kuchava sekwehadzi yeshumba, uye rwuchaomba sevana veshumba; uye rwuchaomba kwazvo rwakabata chakajimbiwa, ndokuenda nacho chakachengeteka; uye hapana angachirwira.
  17886. Isa 5:30 Vachavaombera kwazvo nezuva iro sekuomba kwegungwa. Kana munhu akatarisa panyika, zvino tarira, rima, kutambudzika; uye chiedza chasvibiswa nemakore arwo.
  17887. Isa 6:1 Pagore rekufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro cheushe chiri pamusoro uye chakakwirira, uye mupendero wenguvo dzake waizadza tembere.
  17888. Isa 6:2 Maserafimi aiva amire pamusoro payo; rimwe nerimwe rine mapapiro matanhatu; nemaviri yakafukidza chiso chayo, uye nemaviri yakafukidza makumbo ayo, uye nemaviri yaibhururuka.
  17889. Isa 6:3 Rimwe rakadanidzira kune rimwe rikati: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Jehovha wehondo; nyika yose izere nekubwinya kwake.
  17890. Isa 6:4 Nheyo dzezvikumbaridzo ndokuzununguka nenzwi rewaidana; imba ndokuzara utsi.
  17891. Isa 6:5 Zvino ndakati: Nhamo kwandiri, nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakasviba, uye ndinogara pakati pevanhu vemiromo yakasviba, nokuti meso angu akaona Mambo, Jehovha wehondo.
  17892. Isa 6:6 Zvino rimwe remaserafimi rakabhururukira kwandiri, rine zimbe rinopfuta muruoko rwaro, raraiva ratora nembato paaritari.
  17893. Isa 6:7 Uye rakagunzva muromo wangu ndokuti: Tarira, ichi chazvigunzvira miromo yako; naizvozvo uipi hwako hwabviswa, uye chivi chako chaitirwa rudzikunuro.
  17894. Isa 6:8 Zvino ndakanzwa inzwi raIshe richiti: Ndiyani wandichatuma? Uye ndiyani achatiendera? Zvino ndakati: Tarirai ndiri pano, nditumei.
  17895. Isa 6:9 Iye ndokuti: Enda, uti kuvanhu ava: Inzwai munzwe asi hamunganzwisisi; uye onai muchiona asi hamungaonesesi.
  17896. Isa 6:10 Kodzai moyo yevanhu ava, uye remedzai nzeve dzavo, uye tsinzinisai meso avo, zvimwe vaone nemeso avo, vanzwe nenzeve dzavo, vanzwisise nemoyo yavo, vadzoke ndokuporeswa.
  17897. Isa 6:11 Zvino ndakati: Kusvika rinhi, Ishe? Iye ndokuti: Kusvika maguta ava matongo asina mugari, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,
  17898. Isa 6:12 naJehovha abvisira vanhu kure, nekusiiwa kukuru kwava pakati penyika.
  17899. Isa 6:13 Asi zvakadaro chikamu chimwe mugumi chichava pairi, uye chichadzoka chive chekudyiwa; seterebhinti uye semuouki unowisa mashizha awo, hunde yawo iri pauri; mbeu tsvene ihunde yawo.
  17900. Isa 7:1 Zvino zvakaitika pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiriya, naPeka mwanakomana waRemariya, mambo waIsraeri, vakakwira kuJerusarema kuenda kuhondo kurwisana naro, asi vakakonewa kurikunda.
  17901. Isa 7:2 Zvino zvakaudzwa kuimba yaDhavhidhi kuti vaSiriya vabatana naEfuremu. Moyo wake nemoyo wevanhu vake ndokuzununguswa sekuzununguka kwemiti yemusango nemhepo.
  17902. Isa 7:3 Jehovha ndokuti kuna Isaya: Buda hako unosangana naAhazi, iwe naSheari-Jashubhi mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rekumusoro, panzira huru yekumunda wemusuki wenguvo;
  17903. Isa 7:4 unoti kwaari: Chenjera, uye nyarara, usatya, nemoyo wako ngaurege kupera nekuda kwemiswe iyi miviri yehuni inopfungaira, nekuda kwekutyisa kwekutsamwa kwaRezini neSiriya, nemwanakomana waRemariya.
  17904. Isa 7:5 Nekuda kwekuti Siriya, naEfuremu, nemwanakomana waRemariya vakakurangana zvakaipa, vachiti:
  17905. Isa 7:6 Ngatikwire kwaJudha, tinomutyisa, tizvipoyere kwaari, tiise mambo pakati pake, mwanakomana waTabheyeri.
  17906. Isa 7:7 Anoreva saizvozvo Ishe Jehovha: Hazvingamiri, uye hazvingaitiki.
  17907. Isa 7:8 Nokuti musoro weSiriya iDhamasiko, uye musoro weDhamasiko ndiRezini; zvino kuchine makore makumi matanhatu nemashanu Efuremu achaputswa akasava rudzi.
  17908. Isa 7:9 Zvino musoro waEfuremu ndiSamariya, nemusoro waSamariya ndimwanakomana waRemariya. Kana musingatendi, zvirokwazvo hamungasimbiswi.
  17909. Isa 7:10 Zvino Jehovha wakataurazve kuna Ahazi achiti:
  17910. Isa 7:11 Zvikumbirire chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; kumbira pakadzika kana pamusoro pakakwirira.
  17911. Isa 7:12 Asi Ahazi wakati: Handingakumbiri, uye handingaedzi Jehovha.
  17912. Isa 7:13 Zvino akati: Inzwai zvino, imba yaDhavhidhi, chinhu chidiki kwauri kuti munetese vanhu, kuti munetese Mwari wanguwo here?
  17913. Isa 7:14 Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo: Tarirai, mhandara ichabata mimba, uye ichabereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Imanueri.
  17914. Isa 7:15 Achadya ruomba neuchi, kusvika aziva kuramba zvakaipa nekusarudza zvakanaka.
  17915. Isa 7:16 Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nekusarudza zvakanaka, nyika yaunosema ichasiiwa nemadzimambo ayo ari maviri.
  17916. Isa 7:17 Jehovha achauisa pamusoro pako, nepamusoro pevanhu vako, nepamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbouya kubva pazuva Efuremu raakabva naro kuna Judha, ndiye mambo weAsiriya.
  17917. Isa 7:18 Zvino zvichaitika, pazuva iro, Jehovha acharidzira muridzo nhunzi iri pamugumo wenzizi dzeEgipita, nenyuchi iri panyika yeAsiriya.
  17918. Isa 7:19 Zvino dzichauya, dzichimhara dzose mumipata ine mawere, nemumikaha yemabwe, nepaminzwa yose, nepamafuro ose.
  17919. Isa 7:20 Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakweretwa mhiri kwerwizi, namambo weAsiriya, musoro nemvere dzemakumbo; uye chichatsvairawo ndebvu.
  17920. Isa 7:21 Zvino zvichaitika nezuva iro, munhu achachengeta tsiru nemakwai maviri zviri zvipenyu.
  17921. Isa 7:22 Zvino zvichaitika pakuwanda kwekubuda kwemukaka kuti achadya ruomba; nokuti ruomba neuchi umwe neumwe achazvidya, wakasiiwa pamoyo wenyika.
  17922. Isa 7:23 Zvino zvichaitika, nezuva iro, nzvimbo imwe neimwe pane mizambiringa churu, nemakobiri esirivha churu chimwe, ichava yerukato neminzwa.
  17923. Isa 7:24 Vachaendako nemiseve neuta, nokuti nyika yose ichava nerukato neminzwa.
  17924. Isa 7:25 Nemakomo ose aicherwa nebadza havangaendiko nekutya rukato neminzwa inobaya; asi achava ekusundira nzombe, nekutsika-tsika kwemakwai.
  17925. Isa 8:1 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Zvitorere hwendefa guru, unyore pariri nepeni yemunhu [uti]: Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi.
  17926. Isa 8:2 Ndichazvitorera zvapupu zvakatendeka: Uriya mupristi, naZekariya mwanakomana waJebherekiya.
  17927. Isa 8:3 Zvino ndakaswedera kumuporofitakadzi; iye ndokutora pamuviri, ndokubereka mwanakomana. Jehovha ndokuti kwandiri: Tumidza zita rake: Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi.
  17928. Isa 8:4 Nokuti mwana asati aziva kudana kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambiwa zveSamariya zvichatakurirwa pamberi pamambo weAsiriya.
  17929. Isa 8:5 Zvino Jehovha wakaenderera kutaurazve kwandiri achiti:
  17930. Isa 8:6 Nemhaka yekuti rudzi urwu rwakaramba mvura yeShiroa, inoyerera zvinyoro-nyoro, uye kune mufaro kuna Rezini nemwanakomana waRemariya;
  17931. Isa 8:7 naizvozvo ikozvino, tarira, Jehovha anokwidza pamusoro pavo mvura dzerwizi, dzakasimba uye zhinji, mambo weAsiriya nekubwinya kwake kose; zvino rwuchakwira pahova dzarwo dzose, nekudarika nhivi dzarwo dzose;
  17932. Isa 8:8 rwuchapfuurira kwaJudha; rwuchakukura nekupfuurira, rwuchasvika pamutsipa; nekutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza upamhi hwenyika yako, Emanueri.
  17933. Isa 8:9 Zvibatanidzei, marudzi, zvino putswai; uye ipai nzeve imwi mose venyika dziri kure. Zvisungei zviuno, zvino putswai; zvisungei zviuno, zvino putswai.
  17934. Isa 8:10 Panganai zano, zvino richaputsika; taurai shoko, zvino haringamiri; nokuti Mwari anesu.
  17935. Isa 8:11 Nokuti Jehovha wakareva saizvozvo kwandiri neruoko rwune simba, wakandidzidzisa kuti ndisafamba munzira yevanhu ava, achiti:
  17936. Isa 8:12 Musati: Irangano; pamusoro pezvose vanhu ava zvavanoti: Irangano; uye musatya kutya kwavo, uye musavhunduka.
  17937. Isa 8:13 Jehovha wehondo, iye muchamuita mutsvene, naiye ave kutya kwenyu, uye iye ave kuvhunduka kwenyu.
  17938. Isa 8:14 Zvino achava nzvimbo tsvene; asi achava ibwe rekugumbusa nedombo rekupinganidza kudzimba mbiri dzaIsraeri, ave rugombe, ave musungo kuvagari veJerusarema.
  17939. Isa 8:15 Zvino vazhinji pakati pavo vachagumburwa ndokuwa, uye vachavhunika, nekuteyewa nekubatwa.
  17940. Isa 8:16 Sunga chipupuro, isa murairo chiratidzo pakati pevadzidzi vangu.
  17941. Isa 8:17 Zvino ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakove chiso chake, uye ndichamutarisira.
  17942. Isa 8:18 Tarirai, ini nevana Jehovha vaakandipa, tiri zviratidzo nezvishamiso kwaIsraeri kubva kuna Jehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.
  17943. Isa 8:19 Zvino pavachati kwandiri: Bvunzira kumasvikiro nekuvaroyi, vanorira nekuzevezera: Vanhu havangabvunziri here kuna Mwari wavo, kubvunzira vapenyu kune vakafa?
  17944. Isa 8:20 Kumurairo nekuzvipupuro! Kana vasingatauri zvinoenderana neshoko iri, nokuti hakuna kuedza kwavari.
  17945. Isa 8:21 Uye vachapfuurira kwazviri, vachimanikidzwa kwazvo vane nzara; uye zvichaitika kuti vane nzara uye vakatsamwa, vatuke mambo wavo naMwari wavo, vachitarisa kumusoro.
  17946. Isa 8:22 Zvino vachatarisa panyika, zvino tarira, kuchava nekutambudzika nerima, rima remanikidzo, uye vachadzingirwa kurima.
  17947. Isa 9:1 Asi rima haringavi sekumanikidzwa kwaro, sepanguva dzekutanga wakarerusira nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi pashure wakarwadzisa kwazvo [ne]nzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni.
  17948. Isa 9:2 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vagari munyika yemumvuri werufu, chiedza chakapenyera pamusoro pavo.
  17949. Isa 9:3 Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu semufaro wepakukohwa, sezvavanofara pavanogovana zvakapambiwa.
  17950. Isa 9:4 Nokuti makavhuna joko remutoro wavo, nemudonzvo wefudzi ravo, shamhu yemumanikidzi wavo, sepazuva raMidhiani.
  17951. Isa 9:5 Nokuti shangu imwe neimwe yemurwi iri pakututuma, nenguvo dzakanyikwa muropa, uye zvichava sekupiswa, zvive huni dzemoto.
  17952. Isa 9:6 Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; uye umambo huchava pafudzi rake; uye zita rake richanzi: Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vekusingaperi, Muchinda werugare.
  17953. Isa 9:7 Kukura kweumambo nerugare hazvina mugumo, pamusoro pechigaro cheushe chaDhavhidhi nepamusoro peushe hwake, kuhusimbisa nekuhutsigisa nemutongo uye nekururama, kubva ikozvino kusvika rinhi narinhi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.
  17954. Isa 9:8 Ishe wakatuma shoko kuna Jakove, zvino rikawira kwaIsraeri.
  17955. Isa 9:9 Zvino vanhu vose vachaziva, Efuremu, nevagari veSamariya, nemanyawi nekuzvikudza kwemoyo vachiti:
  17956. Isa 9:10 Zvitinha zvawa, asi tichavaka nemabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichashandurira kumisidhari.
  17957. Isa 9:11 Naizvozvo Jehovha achasimudza vamanikidzi vaRezini pamusoro pake, agosanganisa vavengi vake:
  17958. Isa 9:12 VaSiriya pamberi, nevaFirisitia mushure, zvino vachapedza Israeri nemuromo wose. Pane izvi zvose kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.
  17959. Isa 9:13 Nokuti vanhu havatendeukiri kune wakavarova, uye havatsvaki Jehovha wehondo.
  17960. Isa 9:14 Naizvozvo Jehovha achagura kubva kuna Israeri musoro nemuswe, davi nenhokwe, nezuva rimwe chete.
  17961. Isa 9:15 Mukuru newakagamuchirwa pachiso, iye musoro; asi muporofita anodzidzisa nhema, ndiye muswe.
  17962. Isa 9:16 Nokuti vatungamiriri vevanhu ava vanovatsaukisa; uye vanotungamirirwa navo vanomedzwa.
  17963. Isa 9:17 Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, uye haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nokuti umwe neumwe munyepedzeri nemuiti wezvakaipa, uye muromo umwe neumwe unotaura upenzi. Pane izvi zvose kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.
  17964. Isa 9:18 Nokuti uipi hwunopisa semoto, hunopedza rukato neminzwa, uye hwunotungidza matenhere esango, zvichizvikwidza kumusoro, kukwira kweutsi.
  17965. Isa 9:19 Kubudikidza nekutsamwa kwaJehovha wehondo nyika inosvibiridzwa, uye vanhu vachava sehuni dzemoto; hakuna munhu acharega hama yake.
  17966. Isa 9:20 Zvino achacheka kurudyi, asi achava nenzara; uye achadya kuruboshwe, asi haangaguti; umwe neumwe achadya nyama yeruoko rwake:
  17967. Isa 9:21 Manase Efuremu, naEfuremu Manase; pamwe chete vacharwisa Judha. Pane izvi zvose kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.
  17968. Isa 10:1 Nhamo kune vanotema mitemo yezvakaipa, nekuvanyori vanonyora dambudziko;
  17969. Isa 10:2 kutsausa varombo pamutongo, nekutora nechisimba mutongo wevarombo vevanhu vangu, kuti chirikadzi dzive vakapambiwa vavo, kuti vapambe nherera.
  17970. Isa 10:3 Asi muchaitei pazuva retsivo, nepakuparara kuchabva kure? Muchatizira kuna ani kurubatsiro? Uye muchasiyepi rukudzo rwenyu?
  17971. Isa 10:4 Kunze kwangu vachakotama pasi pevasungwa, uye vachawira pasi pevakaurawa. Pane zvose izvi, kutsamwa kwake hakungadzorwi, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.
  17972. Isa 10:5 Nhamo kumuAsiriya, mudonzvo wekutsamwa kwangu, uye hasha dzangu itsvimbo muruoko rwavo!
  17973. Isa 10:6 Ndichamutumira kurudzi rusina Mwari, uye ndichamuraira kurwisa vanhu vehasha dzangu, kupamba zvakapambiwa nekutapa zvakatapiwa nekuita pekutsikira sedope renzira dzemumusha.
  17974. Isa 10:7 Asi iye haafungi saizvozvo, nemoyo wake haurangariri zvakadaro; asi zviri mumoyo wake kuparadza, nekugura marudzi asiri mashoma.
  17975. Isa 10:8 Nokuti anoti: Machinda angu ose haasi madzimambo here?
  17976. Isa 10:9 Karino harina kuita seKarikemishi here? Hamati harina kuita seAripadhi here? Samariya harina kuita seDhamasiko here?
  17977. Isa 10:10 Ruoko rwangu sezvarwakawana ushe uzhinji hwezvifananidzo, zvifananidzo zvahwo zvakavezwa zvaipfuura zvepaJerusarema nezveSamariya;
  17978. Isa 10:11 sezvandakaitira Samariya nezvifananidzo zvayo, handingaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro here?
  17979. Isa 10:12 Zvino zvakaitika, kana Ishe apedza basa rake rose pagomo reZiyoni nemuJerusarema, ndichatsiva chibereko chekuzvikudza kwemoyo wamambo weAsiriya, nekunaka kwemanyawi emeso ake.
  17980. Isa 10:13 Nokuti wakati: Ndakazviita nesimba reruoko rwangu, uye neuchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; uye ndakabvisa miganhu yemarudzi, uye ndakapamba fuma yavo, uye seane simba ndakawisira pasi vagari.
  17981. Isa 10:14 Ruoko rwangu rwakawana fuma yemarudzi sedendere; uye semunhu anounganidza mazai akasiiwa, ini ndakaunganidza nyika yose; uye paiva pasina waipfakanyikisa bapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.
  17982. Isa 10:15 Demo ringazvikudza kune anotema naro here? Saha ingazvitutumadza kune anoizungunusa here? Setsvimbo inozungunusa vanoisimudza. Sezvinonzi mudonzvo ungazvisimudza, sezvinonzi hausi danda.
  17983. Isa 10:16 Naizvozvo Ishe, Jehovha wehondo achatuma kuonda pakati pevakakora vake; uye pasi perukudzo rwake achatungidza kupfuta sekupfuta kwemoto.
  17984. Isa 10:17 Zvino chiedza chaIsraeri chichava moto, neMutsvene wake ave murazvo, unopisa nekupedza minzwa yake nerukato rwake nezuva rimwe.
  17985. Isa 10:18 Zvino uchapedza rukudzo rwesango rake nemunda wake unobereka, kubva pamweya weupenyu kusvika panyama, zvigova sekupera kwesimba remutakuri wemureza.
  17986. Isa 10:19 Nezvakasara zvemiti yesango rake zvichava zvishoma pauwandu, zvekuti mwana angazvinyora.
  17987. Isa 10:20 Zvino zvakaitika nezuva iro, vakasara vaIsraeri nevakapukunyuka veimba yaJakove havangazosendamirizve pamusoro pewakavarova, asi vachasendamira kuna Jehovha, Mutsvene waIsraeri, muchokwadi.
  17988. Isa 10:21 Vakasara vachadzoka, vakasara vaJakove, kuna Mwari ane simba.
  17989. Isa 10:22 Nokuti kunyange vanhu venyu, Israeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo vachadzoka; kuparadzwa kwakatemwa, kupfachukira nekururama.
  17990. Isa 10:23 Nokuti Ishe, Jehovha wehondo achaita kuparadza uye kwatemwa pakati penyika yose.
  17991. Isa 10:24 Naizvozvo anoreva saizvozvo Ishe, Jehovha wehondo: Vanhu vangu vagari veZiyoni, musatya muAsiriya, paanokurovai netsvimbo, uye achakusimudzirai mudonzvo wake nenzira yevaEgipita.
  17992. Isa 10:25 Nokuti kwasara chinguva chidiki, kutsamwa kuchapera, nehasha dzangu pakuparadzwa kwavo.
  17993. Isa 10:26 Zvino Jehovha wehondo achamusimudzira tyava, sepakurohwa kwevaMidhiani padombo reOrebhi; uye shamhu yake ichava pamusoro pegungwa, achaisimudza nenzira yevaEgipita.
  17994. Isa 10:27 Zvino zvichaitika pazuva iro, achabvisa mutoro wake kubva pafudzi rako, nejoko rake kubva pamutsipa wako; uye joko richaparadzwa nekuda kwekuzodzwa.
  17995. Isa 10:28 Auya paAiati, apfuura paMigironi, achengeta midziyo yake paMikimashi.
  17996. Isa 10:29 Vapfuura pamupata; usiku vanorara paGebha; Rama rinodedera; Gibhiya raSauro ratiza.
  17997. Isa 10:30 Danidzira inzwi rako kwazvo, mukunda weGarimi! Teerera, Raisha, Anatoti murombo!
  17998. Isa 10:31 Madhimena anotiza; vagari veGhebhimi votsvaka utiziro.
  17999. Isa 10:32 Kuchine zuva ranhasi achamira paNobhi; anozunungusira ruoko rwake gomo remukunda weZiyoni, chikomo cheJerusarema.
  18000. Isa 10:33 Tarirai, Ishe, Jehovha wehondo, achatema mashizha nesimba rinotyisa; nevakakwirira paurefu vachatemerwa pasi; nevanozvikudza vachaninipiswa.
  18001. Isa 10:34 Zvino achatema matenhere esango nesimbi; neRebhanoni richawa neane simba.
  18002. Isa 11:1 Zvino pahunde yaJese pachabuda davi, uye bukira rinomera pamidzi yake.
  18003. Isa 11:2 Zvino Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, Mweya wenjere nekunzwisisa, Mweya wezano nesimba, Mweya weruzivo newekutya Jehovha.
  18004. Isa 11:3 Hwema hwake huchava pakutya Jehovha; uye haangatongi nekuona kwemeso ake, uye haangatsiuri nekunzwa kwenzeve dzake.
  18005. Isa 11:4 Asi achatongera varombo nekururama, achitsiura vanyoro venyika pauchokwadi. Zvino acharova nyika netsvimbo yemuromo wake, uye nekufema kwemiromo yake achauraya wakaipa.
  18006. Isa 11:5 Zvino kururama kuchava bhanhire rechiuno chake, uye kutendeka kuchava bhanhire rezvidya zvake.
  18007. Isa 11:6 Nebumhi richagara negwayana; neingwe icharara pasi nembudzana, nemhuru nehando yeshumba nechakakora pamwe chete; uye mukomana mudiki achadzitungamirira.
  18008. Isa 11:7 Mhou nebere zvichafura; mhuru dzazvo dzicharara pamwe chete, uye shumba ichadya majanga senzombe.
  18009. Isa 11:8 Zvino mwana anoyamwa achatambira pamwena wenyoka, uye wakarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi.
  18010. Isa 11:9 Hazvingaiti chakaipa uye hazvingaparadzi pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nekuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura gungwa.
  18011. Isa 11:10 Zvino nezuva iro kuchava nemudzi waJese, uchamira kuva mureza wevanhu; marudzi achatsvaka kwauri, uye nzvimbo yawo yekuzorora ichava nembiri.
  18012. Isa 11:11 Zvino zvichaitika, pazuva iro, Ishe achashandisazve ruoko rwake rwechipiri, kudzosa vakasara vevanhu vake, vachasiiwa kubva kuAsiriya nekubva kuEgipita nekubva kuPatirosi nekubva kuItiyopiya nekubva kuErami nekubva kuShinari nekubva kuHamati nekubva kuzviwi zvegungwa.
  18013. Isa 11:12 Uye achasimudzira marudzi mureza, nekuunganidza vadzingwa vaIsraeri, nevakaparadzirwa vaJudha achaunganidza kubva kumigumo mina yenyika.
  18014. Isa 11:13 Negodo raEfuremu richabva, nevavengi vaJudha vachagurwa; Efuremu haangagodori Judha, naJudha haangamanikidzi Efuremu.
  18015. Isa 11:14 Asi vachabhururukira pamusoro pefudzi revaFirisitia kumavirazuva; vachapambara pamwe chete vana vemabvazuva; vachatambanudzira Edhomu naMoabhu ruoko rwavo; nevanakomana vaAmoni vachavateerera.
  18016. Isa 11:15 Uye Jehovha achaparadza chose rurimi rwegungwa reEgipita, achavheyesa ruoko rwake pamusoro perwizi nesimba remweya wake, arwurove rwuve hova nomwe, ayambuse vanhu neshangu.
  18017. Isa 11:16 Zvino kuchava nenzira huru yevakasara vevanhu vake, vakasara kubva kuAsiriya, sezvazvaiva zvakaita kwaIsraeri nezuva rekukwira kwake kubva kunyika yeEgipita.
  18018. Isa 12:1 Nezuva iro achati: Ndinokuvongai Jehovha; kunyange maiva makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, uye mandinyaradza.
  18019. Isa 12:2 Tarirai, Mwari ruponeso rwangu; ndichavimba ndisingatyi; nokuti Jehovha, Jehovha isimba rangu nerwiyo; iye wava ruponeso rwangu.
  18020. Isa 12:3 Naizvozvo nemufaro muchachera mvura kubva muzvitubu zveruponeso.
  18021. Isa 12:4 Zvino nezuva iro muchati: Vongai Jehovha, danai zita rake, zivisai zviito zvake pakati pemarudzi, mudanidzire kuti zita rake rikwirire.
  18022. Isa 12:5 Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvikuru kwazvo; izvi ngazvizikanwe panyika yose.
  18023. Isa 12:6 Danidzira upururudze, mugarikadzi weZiyoni; nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.
  18024. Isa 13:1 Mutoro weBhabhironi Isaya mwanakomana waAmozi waakaona.
  18025. Isa 13:2 Simudzai mureza pagomo riri bani; simudzirai inzwi kwavari; ninirai ruoko, kuti vapinde pamasuwo evanoremekedzwa.
  18026. Isa 13:3 Ini ndakaraira vakaitwa vatsvene vangu, ndakadanawo mhare dzangu nekuda kwekutsamwa kwangu, avo vanofara paukuru hwangu.
  18027. Isa 13:4 Kutinhira kwechaunga mumakomo, kufanana nevanhu vakawanda, inzwi reruzha rweumambo uzhinji hwemarudzi akaungana: Jehovha wehondo achiongorora uto rehondo.
  18028. Isa 13:5 Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wematenga, Jehovha pamwe nezvombo zvekutsamwa kwake, kuparadza nyika yose.
  18029. Isa 13:6 Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedo; richasvika sekuparara kunobva kuna Wemasimbaose.
  18030. Isa 13:7 Naizvozvo maoko ose achashaya simba, nemoyo umwe neumwe wemunhu uchanyunguduka.
  18031. Isa 13:8 Zvino vachavhunduka; marwadzo nematambudziko zvichavabata; vacharwadziwa semukadzi anorwadziwa nemimba; vachashamisika umwe kune umwe wake; zviso zvavo zviso zvemirazvo yemoto.
  18032. Isa 13:9 Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rine utsinye, nehasha, nekupisa kwekutsamwa, kuisa nyika ive dongo, nekuparadza vatadzi vayo kubva mairi.
  18033. Isa 13:10 Nokuti nyeredzi dzematenga, nemapoka adzo, hadzingapenyesi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro; nemwedzi haungapenyesi chiedza chawo.
  18034. Isa 13:11 Nokuti ndichatsiva uipi pamusoro penyika, nezvivi zvavo pamusoro pevatadzi; uye ndichagumisa manyawi evanozvikudza, nekuninipisa kuzvikudza kwevanotyisa.
  18035. Isa 13:12 Ndichaita murume akoshe kupfuura goridhe rakaisvonaka, uye munhu kupfuura goridhe rakazara reOfiri.
  18036. Isa 13:13 Naizvozvo ndichazungunusa matenga, nenyika ichadedera ibve panzvimbo yayo, pakutsamwa kwaJehovha wehondo, uye pazuva rekupisa kwekutsamwa kwake.
  18037. Isa 13:14 Zvino zvichava semhara inovhimiwa, uye semakwai asina anoaunganidza; vachatendeukira umwe neumwe kuvanhu vekwake, vatizire umwe neumwe kunyika yake.
  18038. Isa 13:15 Umwe neumwe achawanikwa achabaiwa; uye umwe neumwe achabatwa achawa nemunondo.
  18039. Isa 13:16 Nevacheche vavo vachapwanyiwa pamberi pemeso avo; dzimba dzavo dzichapambiwa; uye vakadzi vavo vachararwa.
  18040. Isa 13:17 Tarirai, ndichavamutsira vaMedhi, vasingakudzi sirivha, negoridhe havarifariri.
  18041. Isa 13:18 Asi uta hwavo huchapwanyira pasi majaya; uye havangavi netsitsi nechibereko chechizvaro; ziso ravo harina tsitsi nevana.
  18042. Isa 13:19 Zvino Bhabhironi, mbiri paumambo uzhinji, kunaka kwekuzvikudza kwevaKaradhiya, richava sekuparadzwa naMwari kweSodhoma neGomora.
  18043. Isa 13:20 Haringatongogarwi kusvika rinhi narinhi, uye haringagarwi kuzera nezera; nemuArabhiya haangadziki tende rakemo, nevafudzi havangavatisipo mapoka.
  18044. Isa 13:21 Asi zvikara zvesango zvichararamo; uye dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; nevakunda vemhou vachagaramo; nemweya yakaipa yakaita sembudzi ichatambapo.
  18045. Isa 13:22 Zvino mapere achadavirana mumatongo avo, nemabukanana pamizinda ine mufaro. Zvino nguva yaro yava pedo kusvika, nemazuva aro haanganonoswi.
  18046. Isa 14:1 Nokuti Jehovha achanzwira Jakove tsitsi, achasanangurazve Israeri, ndokuvaisa panyika yekwavo; nevatorwa vachasangana navo, uye vachanamatira kuimba yaJakove.
  18047. Isa 14:2 Zvino vanhu vachavatora ndokuvaisa panzvimbo yavo; uye imba yaIsraeri ichavapfuwa panyika yaJehovha kuva varandarume nevarandakadzi; vagova vatapwa vevatapi vavo, uye vachatonga pamusoro pevamanikidzi vavo.
  18048. Isa 14:3 Zvino zvichaitika pazuva Jehovha raachapa zororo kwauri kubva pakurwadziwa kwako, nepadambudziko rako, nepauranda hwakaoma hwawakashandiswa nahwo,
  18049. Isa 14:4 uchasimudza dimikira iri pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti: Mumanikidzi wapera sei! Guta regoridhe rapera sei!
  18050. Isa 14:5 Jehovha wavhuna mudonzvo wevakaipa, tsvimbo yeushe yevatongi.
  18051. Isa 14:6 Iye wakarova vanhu mukutsamwa nekurova kusingaperi, iye waitonga marudzi nehasha, wadzingirirwa pasina anodzivisa.
  18052. Isa 14:7 Nyika yose yazorora, yanyarara; vanodambuka kuimba.
  18053. Isa 14:8 Nemisipiresi inofara nekuda kwako, misidhari yeRebhanoni, ichiti: Chinguva chawarara pasi, hakuna mutemi anokwira kwatiri.
  18054. Isa 14:9 Gehena pasi rakanyonganiswa newe, kuchingamidza kupinda kwako; rakakumutsira mweya yakafa, nhongo dzose dzenyika; rakasimudza madzimambo ose emarudzi kubva pazvigaro zvawo zveushe.
  18055. Isa 14:10 Vose vachapindura vati kwauri: Newe hauchina simba sesu; wafanana nesu.
  18056. Isa 14:11 Kuzvikudza kwako kwaderedzerwa mugehena, nekurira kwembira dzako; honye dzichawadzwa pasi pako, nemakonye anokufukidza.
  18057. Isa 14:12 Wawa zvakadini kubva kumatenga, iwe anopenya, mwanakomana wemambakwedza! Watemerwa sei pasi, iwe wekuwisira marudzi pasi!
  18058. Isa 14:13 Iwe ndokuti mumoyo mako: Ndichakwira kumatenga; ndichakwiridza chigaro changu cheushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; zvino ndichagara pamusoro pegomo reungano, kumativi ekumaodzanyemba;
  18059. Isa 14:14 ndichakwira kumusoro kwenzvimbo dzakakwirira dzemakore; ndichazvienzanisa neWekumusoro-soro.
  18060. Isa 14:15 Zvakadaro uchaderedzerwa kugehena, kumativi egomba.
  18061. Isa 14:16 Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti: Ndiye here munhu uyu aidederesa nyika, aizunungusa umambo uzhinji,
  18062. Isa 14:17 wakaitisa nyika serenje, uye wakaparadza maguta avo, asina kuzarurira vasungwa vake vaende kumusha?
  18063. Isa 14:18 Madzimambo ose emarudzi, ose zvawo, anorara nerukudzo, umwe neumwe mumba make.
  18064. Isa 14:19 Asi iwe wakakandwa panze kubva muguva rako sedavi rinonyangadza, mucheka wevakaurawa, vakabaiwa nemunondo, vanoburukira kumabwe egomba, sechitunha chinotsikirwa pasi.
  18065. Isa 14:20 Haungabatanidzwi navo pakuvigwa, nokuti wakaparadza nyika yako, wakauraya vanhu vako; mbeu yevaiti vezvakaipa haingatumidzwi kusvika rinhi narinhi.
  18066. Isa 14:21 Gadzirirai kuurawa kwevana vavo nekuda kweuipi hwemadzibaba avo, kuti vasamuka vagare nhaka yenyika, kana kuzadza chiso chenyika nemaguta.
  18067. Isa 14:22 Nokuti ndichavamukira, anoreva Jehovha wehondo: Ndigogura kubvisa zita muBhabhironi, nevakasara, nemwanakomana nemuzukuru, anoreva Jehovha.
  18068. Isa 14:23 Ndichariita nzvimbo yenungu uye madziva emvura; uye ndicharitsvaira nemutsvairo wekuparadza, anoreva Jehovha wehondo.
  18069. Isa 14:24 Jehovha wehondo wakapika achiti: Zvirokwazvo, sekufunga kwangu, zvichava saizvozvo, uye sezvandakananga, izvo zvichamira.
  18070. Isa 14:25 Kuti ndivhune muAsiriya munyika yangu, ndimutsikire pasi pamusoro pemakomo angu, zvino joko rake richabva pavari, nemutoro wake ubve pamafudzi avo.
  18071. Isa 14:26 Ichi chinangwa chakatemerwa nyika yose; uye urwu ruoko rwakatandavadzirwa pamusoro pemarudzi ose.
  18072. Isa 14:27 Nokuti Jehovha wehondo wakatema; zvino ndiani angatendeudza? Zvino ruoko rwake rwakatandavadzwa; uye ndiani angarudzosa kumashure?
  18073. Isa 14:28 Negore rekufa kwamambo Ahazi kwakava nemutoro uyu:
  18074. Isa 14:29 Usafara, iwe Firisitia wose, nokuti shamhu yakakurova yadambuka; nokuti kubva mumudzi wenyoka kuchabuda mvumbi, uye chibereko chayo chichava nyoka yemoto inobururuka.
  18075. Isa 14:30 Uye matangwe evarombo achafura, uye vanoshaya vacharara vakachengeteka; zvino ndichauraya mudzi wako nenzara, uye achauraya vakasara vako.
  18076. Isa 14:31 Ungudza, iwe suwo; chema, iwe guta; wanyauka iwe Firistia wose; nokuti utsi hwauya kubva kumaodzanyemba, zvino hapana achava oga panzvimbo dzake dzakatarwa.
  18077. Isa 14:32 Zvino nhume dzerudzi vachadzipindurei? Kuti Jehovha wakateya Ziyoni, uye varombo varo vachavimba naro.
  18078. Isa 15:1 Mutoro waMoabhu. Nokuti neusiku Ari reMoabhu rakaparadzwa, rakagurwa. Nokuti neusiku Kiri reMoabhu rakaparadzwa, rakagurwa.
  18079. Isa 15:2 Vakwira kuBhayiti, nekuDhibhoni, nzvimbo dzakakwirira, kunochema; Moabhu achaungudzira Nebho neMedhebha; misoro yavo yose ichava nemhanza, ndebvu imwe neimwe yakavevurwa.
  18080. Isa 15:3 Panzira dzavo dzemumisha vachazvisunga zviuno nemasaga; pamusoro pedzimba dzavo nemunzira dzavo dzemumisha umwe neumwe achaungudza, vachiburuka vachichema misodzi.
  18081. Isa 15:4 Zvino Heshibhoni neEreare anodanidzira; inzwi ravo rinonzwikwa kusvika kuJahazi; naizvozvo vane zvombo vaMoabhu vanodanidzira; mweya wake unodedera mukati make.
  18082. Isa 15:5 Moyo wangu unochemera Moabhu; vatizi vake vanosenerera kuZoari, tsiru remakore matatu; nokuti mukwidza weRuhiti vakaukwira vachichema misodzi; nokuti munzira yeHoronaimi vanosimudza kuchema kwekuparadza.
  18083. Isa 15:6 Nokuti mvura zhinji yeNimirimi ichava kuparara kukuru; nokuti uswa hwasvava, bumhudza rapera, hapana chinomera chitema.
  18084. Isa 15:7 Naizvozvo kuwanda kwavakaita nefuma yavo vachazvitakurira kurukova rwemikonachando.
  18085. Isa 15:8 Nokuti kuchema kwakapoteredza miganhu yaMoabhu, kuungudza kwake kusvika kuEgiraimi, hongu, kuungudza kwake kusvika paBheeri-Erimi.
  18086. Isa 15:9 Nokuti mvura zhinji yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichatarira Dhimoni zvimwezve, shumba kune vakapukunyuka vaMoabhu, nekune vakasara venyika.
  18087. Isa 16:1 Tumirai gwayana [ku]mutongi wenyika, kubva kuSera kuenda kurenje, kugomo remukunda weZiyoni.
  18088. Isa 16:2 Nokuti zvichaita seshiri inodzungaira yadzingwa mudendere, vakunda vaMoabhu vachava pamazambuko aArinoni.
  18089. Isa 16:3 Uisai zano; itai mutongo; itai mumvuri wenyu seusiku pakati pemasikati makuru; vigai vakarashwa; musabudisa pachena mudzungairi.
  18090. Isa 16:4 Vakarashwa vangu ngavagare sevatorwa pakati pako, Moabhu; iva uvando kwavari, kubva pachiso chemuparadzi; nokuti mumanikidzi waguma, muparadzi wapera, anotsikira pasi wapedzwa panyika.
  18091. Isa 16:5 Zvino chigaro cheushe chichamiswa neunyoro; uye achagara pachiri neuchokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga nekutsvaka mutongo, uye kukurumidzira kururama.
  18092. Isa 16:6 Takanzwa zvekuzvikudza kwaMoabhu, anodada zvikuru, manyawi ake, nekuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuropota kwake hakuna kudaro.
  18093. Isa 16:7 Naizvozvo Moabhu achaungudzira Moabhu; vose vachaungudza; muchachemera mapundu emazambiringa eKiri-Hareseti, zvirokwazvo varohwa.
  18094. Isa 16:8 Nokuti minda yeHeshibhoni yasvava, nemuzambiringa weSibhima; madzishe emarudzi arovera pasi matavi awo akanakisisa, asenerera muJazeri, adzungaira murenje; matavi awo azvitandavadza, ayambuka gungwa.
  18095. Isa 16:9 Nekuda kweizvozvi ndinochema misodzi nekuchema misodzi kwaJazeri pamusoro pemuzambiringa weSibhima; ndichakudiridza nemisodzi yangu, iwe Heshibhoni neEreare; nokuti kupururudzira zvibereko zvako zvezhizha nekukohwa kwako kwawa.
  18096. Isa 16:10 Kupembera nemufaro zvabviswa pamunda unobereka; uye muminda yemizambiringa havaimbi, havadanidziri; musvini haasvini waini muzvisviniro; ndagumisa mupururu.
  18097. Isa 16:11 Naizvozvo ura hwangu pamusoro paMoabhu hwunorira sembira, nezvemukati zvangu pamusoro peKiri-Heresi.
  18098. Isa 16:12 Zvino zvichaitika kana kwaonekwa kuti Moabhu waneta panzvimbo yakakwirira, ipapo achapinda paimba yake tsvene kunonyengetera, asi haangakundi.
  18099. Isa 16:13 Iri ishoko Jehovha raakataura pamusoro paMoabhu kubva panguva iyo.
  18100. Isa 16:14 Asi ikozvino Jehovha anotaura achiti: Mumakore matatu, semakore emushandi wakahaiwa, rukudzo rwaMoabhu rwuchazvidzwa, pamwe chete nechaunga chose chikuru; uye vakasara vachava vashoma, vadiki, vasina simba.
  18101. Isa 17:1 Mutoro weDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko richabviswa kubva pakuva guta, asi richava dongo rakakoromoka.
  18102. Isa 17:2 Maguta eAroeri asiiwa; achava emapoka ezvipfuwo, zvicharara pasi uye hapangavi nemutyityidziri.
  18103. Isa 17:3 Nhare ichaperawo pana Efuremu, neumambo paDhamasiko nevakasara veSiriya; vachava sembiri yevana vaIsraeri, anoreva Jehovha wehondo.
  18104. Isa 17:4 Zvino zvichaitika nezuva iro, rukudzo rwaJakove rwuchatetepeswa, uye kukora kwenyama yake kuchaonda.
  18105. Isa 17:5 Zvino zvichava sepanounganidza munhu zviyo zvimire, ruoko rwake runocheka hura; zvirokwazvo, zvichava semunhu anononga hura pamupata weRefaimi.
  18106. Isa 17:6 Zvakadaro zvifuhurudzwa zvichasaramo, sekuzuzwa kwemuorivhi, maorivhi maviri matatu panhongonya yedavi repamusoro, mana mashanu pamatavi awo anobereka, anoreva Jehovha, Mwari waIsraeri.
  18107. Isa 17:7 Nezuva iro munhu achatarisa kuMuiti wake, uye meso ake achatarisa kuMutsvene waIsraeri.
  18108. Isa 17:8 Zvino haangatarisi kudziaritari, basa remaoko ake, uye haangaoni minwe yake zvayakaita, kana matanda ekunamata nawo kana mifananidzo yezuva.
  18109. Isa 17:9 Nezuva iro maguta esimba rake achava sechinhu chakasiiwa chesango, nedavi repamusoro ravakasiya, nekuda kwevanakomana vaIsraeri; uye pachava dongo.
  18110. Isa 17:10 Nokuti wakanganwa Mwari weruponeso rwako, uye hauna kurangarira dombo resimba rako; naizvozvo uchadzvara miti inofadza, uye uchaisima nemabukira ekumwe.
  18111. Isa 17:11 Nezuva rekusima kwako uchaikudza, uye mangwanani unotumbusa mbeu yako; goho richava dutu nezuva reurwere nemarwadzo asingarapiki.
  18112. Isa 17:12 Haiwa kuchaunga chevanhu vazhinji, vanotinhira sekutinhira kwegungwa, nekuririma kwemarudzi anoririma semutinhiro wemvura zhinji!
  18113. Isa 17:13 Marudzi acharirima sekuririma kwemvura zhinji; asi uchavatsiura kuti vatizire kure; hongu vadzingirirwe sehundi yemakomo pamberi pemhepo, uye sechinokunguruka pamberi pedutu remhepo.
  18114. Isa 17:14 Nenguva yemadekwani, tarirai, kutyisa; kusati kwaedza haachipo. Ndiwo mugove wevanotipambara, nemujenya wevanotibira.
  18115. Isa 18:1 Haiwa, nyika inovirira mapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiyopiya,
  18116. Isa 18:2 inotuma vatumwa nemugungwa nemumagwa enhokwe pamusoro pemvura! Endai, nhume dzinokurumidza, muende kurudzi rwakareba uye rwunotsvedzerera paganda, kurudzi rwunotyisa, kubva apo zvichienda mberi, rudzi rwune simba zhinji rwunotsika-tsika pasi, rwune nyika inokamura nzizi.
  18117. Isa 18:3 Imwi mose vagari vepanyika, nemwi mugere panyika: Tarirai panosimudzwa mureza pamakomo; uye inzwai panoridzwa hwamanda!
  18118. Isa 18:4 Nokuti Jehovha wakareva seizvi kwandiri: Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sekupisa kwakachena nekuda kwechiedza, segore redova pakupisa kwekukohwa.
  18119. Isa 18:5 Nokuti kukohwa kusati kwavapo, ruva rakwana, uye chibereko chemuzambiringa usina kuibva chinoibva shure kwemaruva, zvino achagura mabukira nemapanga ekuchekerera, abvise matavi, amateme.
  18120. Isa 18:6 Zvichasiiwa pamwe zvive zvemagora emakomo, nezvemhuka dzepanyika, uye magora achapedza chirimo pamusoro pazvo, nemhuka dzose dzepanyika dzichapedzera chando pamusoro pazvo.
  18121. Isa 18:7 Nenguva iyo kuchaunzwa chipo kuna Jehovha wehondo, kurudzi rwakareba uye rwunotsvedzerera paganda, uye kurudzi rwunotyisa, kubva apo zvichienda mberi, rudzi rwune simba zhinji rwunotsika-tsika pasi, rwune nyika inokamura nzizi, chiende kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, gomo reZiyoni.
  18122. Isa 19:1 Mutoro weEgipita. Tarirai, Jehovha wakatasva gore rinomhanya, uye achauya kuEgipita; uye zvifananidzo zveEgipita zvichazungunuswa pamberi pake, nemoyo weEgipita uchanyauka mukati mawo.
  18123. Isa 19:2 Zvino ndichamutsa vaEgipita kurwisa vaEgipita, kuti varwe, umwe neumwe achirwisa hama yake, uye umwe neumwe achirwisana nemuvakidzani wake, guta richirwisana neguta, ushe huchirwisana neushe.
  18124. Isa 19:3 Zvino mweya weEgipita uchadururwa mukati mawo; uye ndichamedza zano rawo; uye vachabvunza zvifananidzo zvavo nemasvikiro nevavuki nen’anga.
  18125. Isa 19:4 Zvino ndichakumikidza vaEgipita muruoko rwatenzi wakaomarara, zvino mambo ane simba achatonga pamusoro pavo, anoreva Ishe Jehovha wehondo.
  18126. Isa 19:5 Mvura zhinji yegungwa ichapwa, uye rwizi ruchaderera nekuoma.
  18127. Isa 19:6 Zvino vacharamba nzizi; hova dzeEgipita dzichatapuka nekupwa; tsanga nenhokwe zvichasvava.
  18128. Isa 19:7 Nhokwe dzebani pamuromo wenzizi, nezvose zvakadzvarwa panzizi, zvichasvava, zvichapepereswa, zvikasazovapo.
  18129. Isa 19:8 Zvino vabati vehove vachachema, uye vose vanokandira zviredzo munzizi vachaungudza, nevanotandira mumbure pachiso chemvura zhinji vachapera simba.
  18130. Isa 19:9 Zvino vabati vefirakisi yakapfava nevaruki vezvichena vachanyadziswa.
  18131. Isa 19:10 Zvino nheyo dzayo dzose dzichatswanyiwa; uye varume vanoshandira mubairo vachashungurudzika pamweya.
  18132. Isa 19:11 Zvirokwazvo machinda eZoani mapenzi; zano revakachenjera vevapi vemazano vaFarao rava upenzi. Munoreva sei kuna Farao muchiti: Ndiri mwanakomana wevakachenjera, mwanakomana wemadzimambo ekare?
  18133. Isa 19:12 Zvino varipi vakachenjera vako? Hongu, ngavakuudze, ngavazive Jehovha wehondo zvaakananga pamusoro peEgipita.
  18134. Isa 19:13 Machinda eZoani ava mapenzi; machinda eNofi akanyengerwa; vachatsausa Egipita, mbiru yemarudzi ayo.
  18135. Isa 19:14 Jehovha wakavhenganisa mukati mavo mweya wekutsauka; uye vakatsausa Egipita pabasa rayo rose, sechidhakwa chinodzedzereka mukurutsa kwacho.
  18136. Isa 19:15 Zvino hapangavi nebasa kuEgipita, musoro kana muswe, davi kana nhokwe razvingaita.
  18137. Isa 19:16 Nezuva iro Egipita richava sevakadzi; uye richadedera nekutya nekuda kwekuzungunuka kweruoko rwaJehovha wehondo rwaakazungunusa pamusoro paro.
  18138. Isa 19:17 Zvino nyika yaJudha ichava chityiso kuEgipita; umwe neumwe achataura nezvayo achavhunduka pachake nekuda kwezano raJehovha wehondo, raakatema kuvarwisa.
  18139. Isa 19:18 Nezuva iro maguta mashanu achavapo panyika yeEgipita, anotaura rurimi rweKenani, nekupika naJehovha wehondo; umwe achatumidzwa: Guta rekuparadzwa.
  18140. Isa 19:19 Nezuva iro pachava nearitari pakati penyika yeEgipita kuna Jehovha, nembiru pamuganhu waro kuna Jehovha.
  18141. Isa 19:20 Zvino zvichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha wehondo panyika yeEgipita; nokuti vachadanidzira kuna Jehovha nekuda kwevamanikidzi; uye achavatumira muponesi uye mukuru, agovanunura.
  18142. Isa 19:21 Zvino Jehovha achazikanwa kuEgipita, nevaEgipita vachaziva Jehovha nezuva iro; vachaita chibairo nechipo, nekupikira Jehovha mhiko, nekuizadzisa.
  18143. Isa 19:22 Zvino Jehovha acharova Egipita, achirova nekurapa; uye vachadzokera kuna Jehovha; iye achanyengetedzeka navo ndokuvaporesa.
  18144. Isa 19:23 Nezuva iro pachava nenzira huru inobva Egipita ichienda Asiriya; kuti vaAsiriya vauye kuEgipita, nevaEgipita kuAsiriya; uye vaEgipita vachanamata pamwe nevaAsiriya.
  18145. Isa 19:24 Nezuva iro Israeri uchava wetatu pamwe neEgipita uye pamwe neAsiriya, ropafadzo mukati menyika.
  18146. Isa 19:25 Jehovha wehondo waacharopafadza achiti: Rakaropafadzwa Egipita vanhu vangu, neAsiriya basa remaoko angu, naIsraeri nhaka yangu.
  18147. Isa 20:1 Negore rekusvika kwaTaritani paAshidhodhi, Sarigoni mambo weAsiriya paakamutuma, akarwa neAshidhodhi ndokuritapa;
  18148. Isa 20:2 panguva iyo Jehovha wakataura neruoko rwaIsaya mwanakomana waAmozi, achiti: Enda, unosunungura nguvo yesaga kubva pazviuno zvako, ubvise nyatera rako kubva parutsoka rwako. Zvino wakaita saizvozvo achifamba akashama uye asina manyatera.
  18149. Isa 20:3 Zvino Jehovha wakati: Muranda wangu Isaya sezvaakafamba akashama uye asina manyatera makore matatu, chiratidzo nechishamiso kuEgipita nekuItiyopiya;
  18150. Isa 20:4 saizvozvo mambo weAsiriya achatinha vatapwa veEgipita nevakadzingwa veItiyopiya, vadiki nevakuru, vakashama uye vasina manyatera uye magaro ari pachena, chive chinyadzo cheEgipita.
  18151. Isa 20:5 Zvino vachavhunduka vakanyara pamusoro peItiyopiya, chivimbo chavo, nepaEgipita runako rwavo.
  18152. Isa 20:6 Zvino mugari wechitsuwa ichi achati nezuva iro: Tarirai, chakadaro chivimbo chedu, chatichatizira kwachiri rubatsiro kuti tisunungurwe pachiso chamambo weAsiriya; zvino isu tichapukunyuka sei?
  18153. Isa 21:1 Mutoro werenje regungwa. Sezvamupupuri kuchamhembe zvinopfuura, zvinobva kurenje, kunyika inotyisa.
  18154. Isa 21:2 Ndakaziviswa chiratidzo chakaoma; munyengeri anoita neunyengeri, nemuparadzi anoparadza. Kwira iwe Erami, komba iwe Medhiya. Ndagumisa kugomera kwavo kose.
  18155. Isa 21:3 Naizvozvo zviuno zvangu zvizere kurwadziwa; marwadzo andibata semarwadzo emukadzi ari kusununguka; ndakotamiswa nekuda kwekunzwa, ndavhiringidzika nekuona.
  18156. Isa 21:4 Moyo wangu wadzungaira; kubvunda kwandityisa; rubvunzavaeni rwandaishuva wakarwuita kudedera kwangu.
  18157. Isa 21:5 Gadzira tafura, rinda pashongwe yekurinda, idya, inwa; simukai, imwi misoro, zodzai nhovo.
  18158. Isa 21:6 Nokuti anoreva seizvi Ishe kwandiri: Enda unomisa murindi, ngaareve chaanoona.
  18159. Isa 21:7 Zvino wakaona ngoro, vatasvi vemabhiza vaviri, ngoro yembongoro, ngoro yekamera; zvino wakateerera kwazvo, kuteerera kukuru.
  18160. Isa 21:8 Zvino wakadanidzira: Shumba. Ishe, ndimire nguva dzose pashongwe yekurinda pamasikati, uye pachirindo changu ini ndimire usiku hwose.
  18161. Isa 21:9 Zvino tarirai, heyi ngoro yevanhu inouya, vatasvi vemabhiza vaviri. Zvino akapindura akati: Rawa! Rawa! Bhabhironi; nezvifananidzo zvose zvakavezwa zvavamwari varo wazviputsira pasi.
  18162. Isa 21:10 Zvakapurwa zvangu, nezviyo zveburiro rangu; zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, zvandakazivisa kwamuri.
  18163. Isa 21:11 Mutoro weDhuma. Anondidana ari paSeiri, achiti: Murindi, zvakadini neusiku? Murindi, zvakadini neusiku?
  18164. Isa 21:12 Murindi ndokuti: Mambakwedza osvika, neusikuwo. Kana muchibvunza, bvunzai; dzokai, uyai.
  18165. Isa 21:13 Mutoro weArabhiya. Mucharara usiku musango reArabhiya, imwi mapoka evafambi veDhedhani.
  18166. Isa 21:14 Vigirai ane nyota mvura! Vagari venyika yeTema vakachingamidza mutizi nechingwa chavo.
  18167. Isa 21:15 Nokuti vakatiza minondo, munondo wakavhomorwa, neuta hwakakungwa, neuremu hwehondo.
  18168. Isa 21:16 Nokuti Ishe wakareva seizvi kwandiri: Muchiri mugore, semakore emushandi wakahaiwa, mbiri yose yeKedhari ichapera.
  18169. Isa 21:17 Nevakasara veuwandu hwevafuri veuta, vanhu vane simba vevanakomana veKedhari, vachava vashoma. Nokuti Jehovha Mwari waIsraeri wataura.
  18170. Isa 22:1 Mutoro wemupata wechiratidzo. Chii kwauri, ikozvino, zvawakwira, vose vako, pamusoro pematenga edzimba?
  18171. Isa 22:2 Iwe uzere nemipururu, guta rine ruzha, musha une mufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nemunondo, uye havana kufira muhondo.
  18172. Isa 22:3 Vatongi vako vose vakatiza pamwe chete; vakasungwa nevafuri; vose vakawanikwa kwauri vakasungwa pamwe chete; vakatiza kubva kure.
  18173. Isa 22:4 Naizvozvo ndakati: Bvisai meso kwandiri; ndinorwadziwa pakuchema kwangu; musakurumidza kundinyaradza nekuda kwekuparara kwemukunda wevanhu vangu.
  18174. Isa 22:5 Nokuti izuva remhirizhonga, nerekutsikira pasi, nerekusagadzikana, kwaIshe Jehovha wehondo, mumupata wechiratidzo, rekuputsira pasi rusvingo, nerekudanidzira kugomo.
  18175. Isa 22:6 Nokuti Erami wakabata goba, pamwe chete nengoro yevanhu, vatasvi vemabhiza; uye Kiri wakafudugura nhovo.
  18176. Isa 22:7 Zvino zvichaitika, mipata yako yakasarudzwa ichazara nengoro, uye vatasvi vemabhiza vachazvimisa zvekuzvimisa pasuwo.
  18177. Isa 22:8 Zvino iye achafudugura chifukidzo chaJudha; uye nezuva iro iwe uchatarisa zvombo zveimba yemusango.
  18178. Isa 22:9 Zvino muchaona mitsemu yeguta raDhavhidhi, kuti pachava pakawanda; uye muchaunganidza mvura dzedziva rezasi.
  18179. Isa 22:10 Zvino muchaverenga dzimba dzeJerusarema, mugoputsa dzimba kuti musimbise rusvingo.
  18180. Isa 22:11 Muchaitawo dziva pakati pemasvingo maviri, remvura dzedivi rekare. Asi hamuzotariri kune wakazviita, uye hamuzooni iye wakariumba kare-kare.
  18181. Isa 22:12 Zvino nezuva iro Ishe Jehovha wehondo achadanidzira mariro, nekuchema, nekuvevurwa kwemisoro, nekusunga zviuno nenguvo yesaga.
  18182. Isa 22:13 Asi tarirai, mufaro, nekupembera, kubayiwa kwemombe, nekushinjiwa kwemakwai, kudyiwa kwenyama, nekunwiwa kwewaini, muchiti: Ngatidye tinwe, nokuti mangwana tinofa.
  18183. Isa 22:14 Asi Jehovha wehondo wakaratidza munzeve dzangu, akati: Zvirokwazvo, chitadzo ichi hachingayananisirwi kwamuri kusvika mafa; anoreva Ishe Jehovha wehondo.
  18184. Isa 22:15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha wehondo: Enda upinde kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, ari pamusoro pezveimba, uti:
  18185. Isa 22:16 Unei pano? Uye una ani pano? Zvawazvivezera guva pano, seanozvivezera guva rake pakakwirira, uchifombora ugaro hwake muibwe!
  18186. Isa 22:17 Tarira, Jehovha achakupotsera kure sekupotsera kwemurume, achakupeta-peta.
  18187. Isa 22:18 Zvino achakupomba-pomba, sebhora rakamoneredzwa munyika yakapamhama; ndipo pauchafira, uye ndipo ngoro dzembiri yako padzichava chinyadzo cheimba yatenzi wako.
  18188. Isa 22:19 Zvino ndichakusudurusa kubva pachinzvimbo chako, uye kubva pabasa rako achakukanda pasi.
  18189. Isa 22:20 Zvino zvichaitika nezuva iro kuti ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikiya.
  18190. Isa 22:21 Uye ndichamufukidza nguvo refu yako, nekumusimbisa nebhanhire rako, uye ndichapa ushe hwako muruoko rwake; uye achava baba kuvagari veJerusarema nekuimba yaJudha.
  18191. Isa 22:22 Zvino ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura pakasava neanovhara, uye achavhara pakasava neanozarura.
  18192. Isa 22:23 Zvino ndichamurovera sembambo panzvimbo yakasimba; uye achava chigaro cheushe cherukudzo kuimba yababa vake.
  18193. Isa 22:24 Vachaturika paari rukudzo rwose rweimba yababa vake, chizvarwa, nembeu, midziyo yose midiki, kubva pamudziyo wemikombe kusvika pamidziyo yose yemakate.
  18194. Isa 22:25 Nezuva iro, anoreva Jehovha wehondo, mbambo yakaroverwa panzvimbo yakasimba ichabviswa, uye ichatemerwa pasi ndokuwa; nemutoro uri pairi uchatemwa; nokuti Jehovha wataura.
  18195. Isa 23:1 Mutoro weTire. Ungudzai, imwi zvikepe zveTarishishi, nokuti raparadzwa, kuti pasava neimba, kuti kusava nekupinda; kubva kunyika yeKitimi zvakaratidzwa kwavari.
  18196. Isa 23:2 Nyararai, imwi vagari vechiwi, vakakuzadza vatengesi veSidhoni vanoyambuka gungwa.
  18197. Isa 23:3 Zvino nemumvura zhinji, mbeu yeShihori, goho rerwizi, ndiwo mubairo wavo; uye inzvimbo yemarudzi yekutengeserana.
  18198. Isa 23:4 Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, simba regungwa, richiti: Handirwadziwi nemimba, uye handibereki vana, uye handireri majaya kana kukurisa mhandara.
  18199. Isa 23:5 Sepashoko reEgipita, vacharwadziwa pashoko reTire.
  18200. Isa 23:6 Yambukirai kuTarishishi; ungudzai, imwi vagari vechiwi.
  18201. Isa 23:7 Iri ndiro guta renyu raifara here, kare kwaro kubva pamazuva ekare? Tsoka dzaro dzicharitakurira kure kunogara semutorwa.
  18202. Isa 23:8 Ndiani akapangira Tire zano izvozvo, mugadziki wekorona, vatengesi varo machinda, vashambadziri varo ndevanokudzwa venyika?
  18203. Isa 23:9 Jehovha wehondo akazvironga, kusvibisa kuzvikudza kwerukudzo rwose, kuti azvidze vose vanokudzwa venyika.
  18204. Isa 23:10 Pfuura nemunyika yako serwizi, iwe mukunda weTarishishi; hakuchine bhanhire.
  18205. Isa 23:11 Wakatandavadza ruoko rwake pamusoro pegungwa; wakazungunusa ushe uzhinji; Jehovha wakapa murairo kurwisa Kenani, kuparadza nhare dzayo.
  18206. Isa 23:12 Zvino wakati: Hauchazofarizve, mhandara yakamanikidzwa, mukunda weSidhoni; simuka uyambukire kuKitimi; naikoko hakuna zororo kwauri.
  18207. Isa 23:13 Tarirai, nyika yevaKaradhiya; rudzi urwu rwaiva rwusipo; vaAsiriya vakaiteyera vaigara mumarenje; vakamisa shongwe dzavo, vakakoromora mizinda yayo; wakaiita dongo.
  18208. Isa 23:14 Ungudzai, imwi zvikepe zveTarishishi; nokuti nhare yenyu yaparara.
  18209. Isa 23:15 Zvino zvichaitika, nezuva iro, kuti Tire richakanganikwa makore makumi manomwe, zvichienderana nemakore amambo umwe; pakupera kwemakore makumi manomwe Tire richava nechakaita serwiyo rwechifeve.
  18210. Isa 23:16 Tora rudimbwa, utenderere guta, chifeve wakanganikwa, ridza zvakanaka, uimbe nziyo zhinji, kuti urangarirwe.
  18211. Isa 23:17 Zvino zvakaitika, pakupera kwemakore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire; zvino richadzokera pakuhaiwa kweufeve hwaro; uye richafeva neushe hwose hwenyika pachiso chepasi.
  18212. Isa 23:18 Zvishambadzirwa zvaro nechipo charo zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingachengetwi uye hazvingaunganidzwi, nokuti mubairo waro wekushambadzirana uchava wevanogara pamberi paJehovha, kuti vadye vagute, uye vave nezvipfeko zvakanaka.
  18213. Isa 24:1 Tarirai, Jehovha anoita nyika ive pasina, anoiita ive dongo, nekushonyorora chiso chayo, nekuparadzira vagari vayo.
  18214. Isa 24:2 Zvino zvichaita, semunhu wakadaro mupristi, semuranda wakadaro tenzi, semushandikadzi vakadaro vahosi vake, semutengi wakadaro mutengesi, semukweretesi wakadaro mukwereti, semutori wechibatiso wakadaro mubatisi kwaari.
  18215. Isa 24:3 Nyika ichaparadzwa zvekuparadzwa, uye ichapambwa zvekupambwa, nokuti Jehovha wakataura shoko iri.
  18216. Isa 24:4 Nyika inochema inosvava; pasi pabvuruvara pasvava; vepanzvimbo dzakakwirira vevanhu vepanyika vanopera simba.
  18217. Isa 24:5 Nyika yakasvibiswawo pasi pevagari vayo; nokuti vakadarika mirairo, vashandura mutemo, vaputsa sungano yekusingaperi.
  18218. Isa 24:6 Naizvozvo chakatukwa chapedza nyika, nevageremo vaparara. Naizvozvo vagari vepanyika vapiswa, uye kwasara vanhu vashoma.
  18219. Isa 24:7 Waini itsva inochema; muzambiringa wapera simba; vose vane moyo unofara vanogomera.
  18220. Isa 24:8 Mufaro wembira wopera; ruzha rwevanofara rwopera; mufaro wembira wopera.
  18221. Isa 24:9 Havanganwi waini nerwiyo; zvinwiwa zvinodhaka zvichavava kune vanozvinwa.
  18222. Isa 24:10 Guta rekuparara raputsika; imba imwe neimwe yavharwa kuti musapindwa.
  18223. Isa 24:11 Kunochemerwa waini munzira dzemumisha; mufaro wose wasvibiridzwa; kupembera kwenyika kwanyangarika.
  18224. Isa 24:12 Muguta masara dongo; nesuwo rarohwa raparadzwa.
  18225. Isa 24:13 Nokuti zvichava saizvozvo pakati penyika, pakati pemarudzi, sekuzuzwa kwemuorivhi, sekufuhurudza goho remazambiringa parinenge rapera.
  18226. Isa 24:14 Ivo vachasimudza inzwi ravo; vachaimbira ukuru hwaJehovha; vagodanidzira vari pagungwa.
  18227. Isa 24:15 Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, pazviwi zvegungwa, zita raJehovha, Mwari waIsraeri.
  18228. Isa 24:16 Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumugumo wenyika; vakarurama ngavakudzwe! Asi ndakati: Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyepedzeri vakaita nekunyengera; zvirokwazvo, vanyepedzeri vakaita nekunyengera kukuru.
  18229. Isa 24:17 Kutya negomba nemusungo zviri pamusoro pako, iwe mugari wepanyika.
  18230. Isa 24:18 Zvino zvichaita, anotiza bope rekutyisa, achawira mugomba; uye anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nemusungo; nokuti mahwindo ekumusoro azarurwa, nenheyo dzenyika dzinodedera.
  18231. Isa 24:19 Nyika yaputswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.
  18232. Isa 24:20 Nyika ichadzedzereka chose sechidhakwa, uye ichadengenyeka sedumba; uye kudarika kwayo kucharema pamusoro payo; zvino ichawa, ikasasimukazve.
  18233. Isa 24:21 Zvino zvichaitika nezuva iro Jehovha achashanya pahondo yewakakudzwa ari kumusoro, nepamadzimambo enyika panyika.
  18234. Isa 24:22 Vachaunganidzwa pamwe chete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutirongo; zvino shure kwemazuva mazhinji vachashanyirwa.
  18235. Isa 24:23 Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, nepaJerusarema; uye pamberi pevakuru vake pachava nekukudzwa.
  18236. Isa 25:1 Jehovha, muri Mwari wangu! Ndichakusimudzirai, ndirumbidze zita renyu, nokuti makaita chinoshamisa; mazano ekare ane kutendeka [uye] chokwadi.
  18237. Isa 25:2 Nokuti makaita guta rive churu, guta rakashoshewa rive dongo; nzvimbo yakakwirira yevatorwa isava guta; haringavakwi kusvika rinhi narinhi.
  18238. Isa 25:3 Naizvozvo vanhu vane simba vachakurumbidzai; guta remarudzi anotyisa richakutyai.
  18239. Isa 25:4 Nokuti manga muri simba kumurombo, simba kune anoshaiwa pakutambudzika kwake, uvando kubva kudutu remhepo ine mvura, mumvuri pakupisa, kana mhepo yevanotyisa ichiita sedutu remhepo ine mvura parusvingo.
  18240. Isa 25:5 Muchaderedza ruzha rwevatorwa sekupisa panzvimbo yakaoma; sezvinoitwa kupisa nemumvuri wegore, rwiyo rwevane utsinye rwuchaderedzwa.
  18241. Isa 25:6 Zvino pagomo iri Jehovha wehondo achaitira vanhu vose mabiko ezvinhu zvakakora, mabiko ewaini zhinji pamasese, ezvinhu zvakakora zvizere nemongo, wewaini zhinji pamasese yakasvinwa zvakanaka.
  18242. Isa 25:7 Zvino achamedza pagomo iri chiso chebutiro rakaputira vanhu vose, nechifukidzo chakawaridzwa pamusoro pemarudzi ose.
  18243. Isa 25:8 Wakamedza rufu mukukunda; uye Ishe Jehovha achapusika misodzi kubva pazviso zvose; nekushoorwa kwevanhu vake achabvisa pasi pose; nokuti Jehovha wataura.
  18244. Isa 25:9 Zvino nezuva iro kuchanzi: Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takamumirira, uye achatiponesa; uyu ndiJehovha; takamumirira; tichafara nekupembera muruponeso rwake.
  18245. Isa 25:10 Nokuti ruoko rwaJehovha ruchazorora pagomo iri; naMoabhu vachatsikirwa pasi pake, semajanga akaunganidzwa anotsikirwa mugomba remupfudze.
  18246. Isa 25:11 Zvino achatandavadzira maoko ake pakati paro, sekutandavadza kunoita mushambiri kuti ashambire; uye achaderedza kuzvikudza kwaro pamwe chete nekuvandira kwemaoko aro.
  18247. Isa 25:12 Zvino nhare yakakwirira yemasvingo enyu achaiputsira pasi, aideredze pasi, aisvitse muvhu muguruva.
  18248. Isa 26:1 Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbiwa panyika yaJudha: Tine guta rakasimba; [Mwari] achamisa ruponeso kuva masvingo nedzinhare.
  18249. Isa 26:2 Zarurai masuwo, kuti rudzi rwakarurama rwunochengetedza kutendeka kukuru rwupinde.
  18250. Isa 26:3 Uchamuchengeta parugare rwakakwana, pfungwa dzake dzimire pamusoro pako, nokuti anovimba nemwi.
  18251. Isa 26:4 Vimbai naJehovha kusvika nekusingaperi, nokuti muna Ishe Jehovha mune dombo rekusingaperi-peri.
  18252. Isa 26:5 Nokuti anoderedza pasi vagari vepakakwirira, guta rakakwirira; anoriisa pakaderera, anoriisa pakaderera kusvika pavhu; anorisvitsa muguruva.
  18253. Isa 26:6 Rutsoka rwucharitsikira-tsikira pasi, tsoka dzemurombo, nhanho dzevanoshaiwa.
  18254. Isa 26:7 Nzira yewakarurama kururama; iwe wakarurama, unoyera gwara rewakarurama.
  18255. Isa 26:8 Zvirokwazvo, panzira yemitongo yenyu, Jehovha, takakumirirai; chishuwo chemweya weupenyu wedu chiri pazita renyu nepachirangaridzo chenyu.
  18256. Isa 26:9 Nemweya weupenyu wangu ndakakushuvai neusiku; uye nemoyo wangu mukati mangu ndakakutsvakai kwazvo; nokuti mitongo yenyu painenge iri panyika, vagari vepanyika vachadzidza kururama.
  18257. Isa 26:10 Wakaipa akawanirwa nyasha haadzidzi kururama; munyika yakarurama zvikuru achaita zvakaipa, uye haangaoni ukuru hwaJehovha.
  18258. Isa 26:11 Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, havangaoni; asi vachaona, vagonyara nekushingaira pamusoro pevanhu; kutsamwa kwemoto wevavengi venyu kuchavapedza.
  18259. Isa 26:12 Jehovha, muchatimisira rugare, nokuti nemwi makatiitira mabasa edu ose.
  18260. Isa 26:13 Jehovha Mwari wedu, amwe madzishe kunze kwenyu akambotitonga; asi nekuda kwenyu moga ticharangarira zita renyu.
  18261. Isa 26:14 Vakafa havangararami; mweya yakafa haingamuki; naizvozvo imwi makavashanyira, mukavaparadza, makapedza kurangarirwa kwawo kose.
  18262. Isa 26:15 Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi, munokudzwa; mabvisira kure kumiganhu yose yenyika.
  18263. Isa 26:16 Jehovha, pakutambudzika vakakushanyirai; vakadurura munyengetero kuranga kwenyu pakunenge kuri pamusoro pavo.
  18264. Isa 26:17 Semukadzi ane pamuviri aswederwa nekupona, ari pakurwadziwa, achichema pakurwadziwa kwake, takava saizvozvo pachiso chenyu, Jehovha.
  18265. Isa 26:18 Takabata mimba, takarwadziwa, takabereka mhepo. Hatina kuita ruponeso rukuru panyika, uye vagari vepanyika havana kuwa.
  18266. Isa 26:19 Vakafa venyu vachararama, chitunha changu, vachamuka. Mukai mudanidzire nemufaro, imwi mugere muguruva, nokuti dova renyu idova remirivo; uye nyika ichabudisa mweya yakafa.
  18267. Isa 26:20 Fambai vanhu vangu, mupinde mumakamuri enyu, mupfige misuwo yenyu shure kwenyu, muvande sepachinguvana, kusvika kutsamwa kwapfuura.
  18268. Isa 26:21 Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake kuti atsive uipi hwevagari vepanyika pamusoro pavo; uye nyika ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.
  18269. Isa 27:1 Nezuva iro Jehovha acharanga nemunondo wake mukukutu uye mukuru uye une simba revhiatani, nyoka inokurumidza, hongu, revhiatani, nyoka yakagonyana; ichauraya bukanana riri mugungwa.
  18270. Isa 27:2 Nezuva iro imbai pamusoro pemunda wemizambiringa wewaini tsvuku!
  18271. Isa 27:3 Ini Jehovha ndiri muchengeti wawo; nguva imwe neimwe ndinoudiridza; zvimwe umwe autadzire, siku nesikati ndinouchengeta.
  18272. Isa 27:4 Hasha hadzimo mandiri. Ndiyani achandipa rukato, munzwa pahondo! Ndaiita nharu ndipfuurire mazviri, ndizvipise pamwe chete.
  18273. Isa 27:5 Kana kuti abatirire pasimba rangu, aite rugare neni; achaita rugare neni.
  18274. Isa 27:6 Achaita vanobva kwaJakove vamere midzi; Israeri achatunga maruva nekutumbuka; uye vachazadza chiso chenyika nezvibereko.
  18275. Isa 27:7 Wakamurova here sekurova kwemurovi wake? Wakaurawa here sekuurawa kwevakaurawa vake?
  18276. Isa 27:8 Pachiyero pakumudzinga achakakavadzana nayo; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yekumabvazuva.
  18277. Isa 27:9 Saka neizvi uipi hwaJakove hwakaripirwa; uye ichi chibereko chose, kubvisa chivi chake, pakumisa kwake mabwe ose earitari ave semabwe emunyaka akaputswa-putswa; matanda ekunamata nawo nemifananidzo yezuva hazvingamiri.
  18278. Isa 27:10 Nokuti guta rakashoshewa richava dongo, ugaro hwakaraswa, uye hwakasiiwa serenje; ndipo pachadya mhuru uye ndipo paicharara nekupedza matavi aro.
  18279. Isa 27:11 Matavi aro paanenge aoma achavhuniwa; vakadzi vachauya vachiavesa; nokuti havasi vanhu vanonzwisisa; naizvozvo muiti wavo haangavanzwiri tsitsi; newakavaumba haangavi nenyasha kwavari.
  18280. Isa 27:12 Zvino zvichaitika nezuva iro, Jehovha achapura kubva parukova rwerwizi kusvika parwizi rweEgipita. Zvino imwi muchaunganidzwa umwe neumwe, vana vaIsraeri.
  18281. Isa 27:13 Zvino zvichaitika nezuva iro, kucharidzwa hwamanda huru; uye vakaparara munyika yeAsiriya nevakadzingirwa munyika yeEgipita vachauya ndokunamata Jehovha mugomo dzvene, muJerusarema.
  18282. Isa 28:1 Nhamo kukorona yekuzvikudza yezvidhakwa zvekwaEfuremu, nekuruva rinobvuruvara rerunako rwekubwinya kwake, riri pamusoro pemusoro wemupata wakaorera kwazvo, wevakarohwa newaini.
  18283. Isa 28:2 Tarirai, Ishe ane umwe ane simba uye wekugwinya. Achakanda panyika neruoko, sedutu remhepo rine mvura rechimvuramabwe, dutu rinoparadza, semafashame emvura zhinji ane simba anokukura.
  18284. Isa 28:3 Korona yekuzvikudza yezvidhakwa zvekwaEfuremu ichatsikirwa pasi netsoka.
  18285. Isa 28:4 Uye ruva rinobvuruvara rerunako rwekubwinya kwake riri pamusoro pemusoro wemupata wakaorera kwazvo richava sechibereko chekutanga zhizha risati rasvika, kuti muoni waro aone, richiri muruoko rwake arimedze.
  18286. Isa 28:5 Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona yekubwinya neukomba hwerunako kune vakasara vevanhu vake,
  18287. Isa 28:6 nemweya wemutongo kune agere pamutongo, nesimba kune avo vanodzosera hondo kusuwo.
  18288. Isa 28:7 Uyewo ava vakarasika nekuda kwewaini, uye nekuda kwezvinodhaka vakatsauka; mupristi nemuporofita vanorasika nekuda kwezvinodhaka, vakamedzwa newaini, vakatsauka nekuda kwezvinodhaka, vanorasika pakuona, vanogumburwa pamutongo.
  18289. Isa 28:8 Nokuti matafura ose azere nemarutsi nekusviba; hapana nzvimbo yakanaka.
  18290. Isa 28:9 Ndiani waachadzidzisa ruzivo? Uye ndiani waachaita anzwisise shoko? Vakarumurwa pamukaka; vakabviswa pamazamu.
  18291. Isa 28:10 Nokuti mutemo uri pamusoro pemutemo, mutemo pamusoro pemutemo, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, apa zvishoma, apo zvishoma.
  18292. Isa 28:11 Nokuti nemiromo inonyomba, uye nerwumwe rurimi anotaura kuvanhu ava,
  18293. Isa 28:12 vaakati kwavari: Iri izororo, zorodzayi vakaneta, uye uku kuvandudzwa. Asi havana kuda kunzwa.
  18294. Isa 28:13 Asi shoko raJehovha raiva kwavari mutemo pamusoro pemutemo, mutemo pamusoro pemutemo, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, apa zvishoma, apo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vateyiwe, vatapwe.
  18295. Isa 28:14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imwi vanhu vekunyomba munotonga vanhu ava vari muJerusarema.
  18296. Isa 28:15 Nokuti makati: Takaita sungano nerufu, uye negehena takaita chibvumirano; panopfuura shamhu inofashamira haisviki kwatiri; nokuti takaita nhema dzive utiziro hwedu, uye takavanda muunyengeri.
  18297. Isa 28:16 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, ibwe rakaedzwa, ibwe repakona rinokosha, nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.
  18298. Isa 28:17 Uye ndichaisa mutongo uve rwonzi rwekuyera, uye kururama kuve chekururamisa. Zvino chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, uye mvura zhinji ichafashamira nzvimbo yekuvanda.
  18299. Isa 28:18 Zvino sungano yenyu nerufu ichadzimwa, nechibvumirano chenyu negehena hachingamiri; shamhu inofashamira painopfuura, ipapo muchatsikirwa pasi nayo.
  18300. Isa 28:19 Kubva panguva yekupfuura kwayo ichakutorai; nokuti nekuedza nekuedza ichapfuura, masikati neusiku; uye chichava chityiso choga kunzwisisa shoko.
  18301. Isa 28:20 Nokuti mubhedha uchava mupfupisa kuti munhu atandavare; nejira richava dikisa kuti munhu azvimonere.
  18302. Isa 28:21 Nokuti Jehovha achasimuka sepagomo rePerazimi, achatsamwa sepamupata weGibhiyoni, kuti aite basa rake, basa rake risina kujairika, uye kuti aite chiito chake, chiito chake chisina kujairika.
  18303. Isa 28:22 Naizvozvowo regai kunyomba, zvimwe zvisungo zvenyu zvisimbiswe; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kupedzwa kwatemwa pamusoro penyika yose.
  18304. Isa 28:23 Ipai nzeve, mugonzwa inzwi rangu, teererai, mugonzwa kureva kwangu.
  18305. Isa 28:24 Zuva rose murimi anorimira kudzvara here? Anozarura nekuputsa mavhinga ivhu rake here?
  18306. Isa 28:25 Hazvina kudaro here, aenzanisa chiso chawo, kuti akushe kumini tema, nekukusha kumini, nekuisa gorosi mumitsara, nebhari yakatarwa, nesipereti kumativi awo here?
  18307. Isa 28:26 Nokuti Mwari wake anomuzivisa nenzira, anomudzidzisa.
  18308. Isa 28:27 Nokuti kumini tema haipurwi nemupuro unopinza, kana vhiri rengoro kukunguruswa pamusoro pekumini; asi kumini tema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.
  18309. Isa 28:28 Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, nokuti haangarambi achingozvipura-pura; ndokuapwanya nevhiri rengoro yake, uye haangaakuyi nemabhiza ake.
  18310. Isa 28:29 Neizvi zvinobva kuna Jehovha wehondo; anoshamisa pazano, mukuru pakushanda.
  18311. Isa 29:1 Nhamo [ku]Arieri, Arieri guta Dhavhidhi maakamisa mariri musasa! Wedzerai gore negore; mitambo ngaipoteredze.
  18312. Isa 29:2 Zvino ndichamanikidza Arieri; zvino kuchava nekuungudza nekuchema; uye zvichava kwandiri seArieri.
  18313. Isa 29:3 Zvino ndichakudzikira misasa mativi ako ose, uye ndichakukomba nerumhanda, uye ndichakumutsira dzinhare.
  18314. Isa 29:4 Zvino uchaderedzwa, uchataura uri muvhu, uye nhauro yako ichava pasi kubva muguruva, uye inzwi rako richava seresvikiro rinobva muvhu, uye nhauro yako ichatsvitsvirika kubva muguruva.
  18315. Isa 29:5 Zvino chaunga chevatorwa vako chichava seguruva rakatsetseka, nechaunga chevanotyisa sehundi inopfuura; zvirokwazvo zvichaitika kamwe-kamwe pakarepo.
  18316. Isa 29:6 Uchashanyirwa naJehovha wehondo nemutinhiro, uye nekudengenyeka kwenyika, neruzha rukuru, chamupupuri, nedutu guru, nemurazvo wemoto unopedza.
  18317. Isa 29:7 Zvino sechiroto, chiratidzo cheusiku, ndizvo zvichaita chaunga chemarudzi ose anorwa neArieri, nevose vanorirwisa nenhare dzaro, neavo vanorimanikidza.
  18318. Isa 29:8 Uye zvichava seapo ane nzara achirota, zvino tarira anodya, asi anomuka, asi mweya weupenyu wake hauna chinhu; kana seapo ane nyota achirota, zvino tarira anonwa, asi anomuka, zvino tarira, anoziya, uye mweya wake unoshuva; ndizvo zvichaita chaunga chemarudzi ose anorwa negomo reZiyoni.
  18319. Isa 29:9 Mirai mushamiswe! Zvifadzei, mupofumare! Vanodhakwa, asi kwete newaini. Vanodzedzereka, asi kwete nezvinodhaka.
  18320. Isa 29:10 Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wehope dzinorema, uye wakadzivira meso enyu; vaporofita, nevakuru venyu, vaoni, wakavafukidza.
  18321. Isa 29:11 Zvino chiratidzo chose chiri kwamuri semashoko ebhuku rakavharwa nechidhindo, kuti vape kumuzivi webhuku, vachiti: Verenga izvi hako; asi achati: Handigoni, nokuti rakavharwa nechidhindo.
  18322. Isa 29:12 Kana bhuku richapiwa kune asingazivi bhuku, vachiti: Verenga izvi hako; asi achati: Handizivi bhuku.
  18323. Isa 29:13 Zvino Ishe wakati: Nokuti vanhu ava vaswedera pedo nemuromo wavo, uye nemiromo yavo vandikudza, asi moyo wavo vaisa kure neni, nekunditya kwavo kudzidziswa nemurairo wevanhu;
  18324. Isa 29:14 naizvozvo tarirai, ndichaenderera kuita zvinoshamisa nevanhu ava, zvinoshamisa nechishamiso; uye uchenjeri hwevakachenjera vake huchaparara, nekunzwisisa kwevane njere vavo zvichavanda.
  18325. Isa 29:15 Nhamo kune vanodzika vachibva kuna Jehovha kuti vavanze zano, uye vemabasa avo ari murima; zvino vanoti: Ndiyani anotiona, uye ndiyani anotiziva?
  18326. Isa 29:16 Kupidigura kwenyu! Muumbi angaidzwa sevhu here, nokuti basa richati here kumuiti waro: Haana kundiita? Kana chakaumbwa chingati kumuumbi wacho here: Haanzwisisi?
  18327. Isa 29:17 Hachisi chinguva chidiki here kuti Rebhanoni rishandurwe kuva munda unobereka, uye munda unobereka uverengwe sesango?
  18328. Isa 29:18 Zvino nezuva iro vematsi vachanzwa mashoko ebhuku, uye meso emapofu achaona nepakasvibirira uye kubva parima.
  18329. Isa 29:19 Vanyoro vachawedzerawo mufaro muna Jehovha, nevarombo vevanhu vachafarisisa muMutsvene waIsraeri.
  18330. Isa 29:20 Nokuti anotyisa waguma, uye munyombi wapedzwa, uye vose vakarindira chakaipa vagurwa;
  18331. Isa 29:21 vanoita munhu atadze neshoko, uye vamuisire musungo anotsiura pasuwo, nekusundira parutivi wakarurama nekushaya chinhu.
  18332. Isa 29:22 Saka ndizvo zvinoreva Jehovha wakadzikinura Abhurahama pamusoro peimba yaJakove: Ikozvino Jakove haanganyadziswi, uye ikozvino chiso chake hachingacheneruki.
  18333. Isa 29:23 Nokuti pakuona vana vake, basa remaoko angu pakati pake, vakaita zita rangu dzvene, uye vachaita Mutsvene waJakove mutsvene, uye vachatya Mwari waIsraeri.
  18334. Isa 29:24 Nevanorasika pamweya vachaziva kunzwisisa, nevagunun’uni vachadzidza dzidziso.
  18335. Isa 30:1 Nhamo kuvana vanopanduka! anoreva Jehovha, kuita zano asi risiri rangu, uye kufukidza nechifukidzo asi chisiri [che]mweya wangu, kuti vawedzere chivi pachivi.
  18336. Isa 30:2 Avo vanofamba kuburukira kuEgipita, uye vasina kubvunza muromo wangu, kuti vazvisimbise pasimba raFarao, nekuvimba nemumvuri weEgipita.
  18337. Isa 30:3 Naizvozvo simba raFarao richava kwamuri chinyadzo, uye kuvimba nemumvuri weEgipita kuchava kuvhiringidzika.
  18338. Isa 30:4 Nokuti machinda ake aiva paZoani, nenhume dzake dzakasvika kuHanesi.
  18339. Isa 30:5 Vose achavanyadzisa nevanhu vasina mubairo kwavari vasina rubatsiro vasina mubairo, asi vechinyadzo uyewo vekushooresa.
  18340. Isa 30:6 Mutoro wezvikara zvechamhembe. Kunyika yekumanikidzwa nekutambudzika, kunobva shumba hadzi, neshumba, nyoka, nenyoka yemoto inobhururuka, vanotakura fuma yavo pafudzi rembongoro diki, nepanyundwa yemakamera zvinokosha zvavo, kuisa kuvanhu vasingabatsiri.
  18341. Isa 30:7 Nokuti vaEgipita vanobatsira pasina uye zvisina maturo; naizvozvo ndakachema pamusoro peizvi ndikati: Simba ravo kungogara.
  18342. Isa 30:8 Ikozvino, enda, zvinyore pamberi pavo pahwendefa, uzvinyore nekuveza mubhuku, kuti zvivepo zuva rekupedzisira, kuva chapupu kusvika rinhi narinhi.
  18343. Isa 30:9 Nokuti rudzi rwunomukira, vana varevi venhema, vana vasingadi kunzwa murairo waJehovha;
  18344. Isa 30:10 vanoti kuvaoni: Musaona; uye kuvataridzwi: Musataridza zvakarurama kwatiri; taurai zvinosvedzerera kwatiri, onai neunyengeri;
  18345. Isa 30:11 budai munzira, mutsauke mubve mugwara, gumisai pamberi pedu Mutsvene waIsraeri.
  18346. Isa 30:12 Naizvozvo anoreva seizvi Mutsvene waIsraeri: Nokuti munozvidza shoko iri, asi muchivimba nekumanikidza nekutsauka, uye muchisendama mazviri;
  18347. Isa 30:13 naizvozvo chakaipa ichi chichava kwamuri sepakakoromoka panowa, kufuta parusvingo rwakakwirira, kukoromoka kwaro kunosvika pakarepo nekukurumidza.
  18348. Isa 30:14 Zvino achazviputsa, sekuputswa kwehari yevaumbi inoputsanyiwa; haangaregi, kuti kusawanikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chekugokesa moto pachoto, kana kutekesa mvura patsime.
  18349. Isa 30:15 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha, Mutsvene waIsraeri: Pakudzoka nekuzorora muchaponeswa; pakunyarara nepakutenda pachava nesimba renyu; asi hamuna kuda.
  18350. Isa 30:16 Zvino makati: Kwete, nokuti tichatiza nebhiza; naizvozvo muchatiza; uye: Tichatasva anomhanyisa; naizvozvo vadzingiriri venyu vachamhanyisa.
  18351. Isa 30:17 Churu chimwe chichatiza pakutsiura kweumwe; pakutsiura kwevashanu muchatiza; kusvika masiiwa sedanda pamusoro wegomo, uye semureza pamusoro pechikomo.
  18352. Isa 30:18 Naizvozvowo Jehovha achamirira kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvowo achakudzwa kuti ave nenyasha nemwi; nokuti Jehovha ndiMwari wemutongo; vakaropafadzwa vose vanomumirira.
  18353. Isa 30:19 Nokuti vanhu vachagara paZiyoni paJerusarema; hamungazochemizve misodzi; achakunzwirai nyasha kwazvo painzwi rekuchema kwenyu; paacharinzwa achakupindurai.
  18354. Isa 30:20 Zvino Ishe achakupai chingwa chenhamo nemvura yekutambudzika; zvakadaro vadzidzisi venyu havangabvisirwizve mukona, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu.
  18355. Isa 30:21 Zvino nzeve dzako dzichanzwa inzwi shure kwako richiti: Iyi ndiyo nzira, fambai nayo! Pamunotsaukira kurudyi, nepamunotsaukira kuruboshwe.
  18356. Isa 30:22 Zvino muchasvibisa chifukidzo chezvifananidzo zvenyu zvakavezwa zvesirivha, neefodhi yezvifananidzo zvenyu zvakaumbwa nekunyungudusa zvegoridhe; muchazviparadzira semucheka wemukadzi ari kumwedzi; uchati kwazviri: Buda!
  18357. Isa 30:23 Ipapo achapa mvura yembeu yenyu, yamuchadyara muvhu, nechingwa chegoho revhu, uye zvichava zvakakora uye zvakawanda. Nezuva iro zvipfuwo zvenyu zvichadya pamafuro makuru.
  18358. Isa 30:24 Zvino nzombe nembongoro diki zvinorima ivhu zvichadya zvekudya zvakarungwa, zvakarudzwa nefoshoro nemusero.
  18359. Isa 30:25 Nepamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba nepamusoro pechikomo chimwe nechimwe chakakwirira pachava nenzizi nehova dzemvura pazuva rekuurawa kukuru pachawa dzishongwe.
  18360. Isa 30:26 Zvino chiedza chemwedzi chichava sechiedza chezuva, uye chiedza chezuva chichapetwa kanomwe sechiedza chemazuva manomwe, nezuva raJehovha rekusunga pakakuvara pevanhu vake, paanoporesa shamhu yevanga ravo.
  18361. Isa 30:27 Tarirai, zita raJehovha rinobva kure, richipisa hasha dzaro, uye mutoro unorema; miromo yake yakazara nehasha, nerurimi rwake semoto unopedza;
  18362. Isa 30:28 nekufema kwake serwizi rwunofashamira kusvika pakati pemutsipa, kuzungura marudzi nechizunguro chezvisina maturo; uye kuchava netomu rekutsausa pamatadza evanhu.
  18363. Isa 30:29 Muchava nerwiyo, sepausiku hwekuyereswa kwemutambo, nemufaro wemoyo seanofamba nenyere, kuenda kugomo raJehovha, kudombo raIsraeri.
  18364. Isa 30:30 Jehovha achanzwisa inzwi rake reukuru, acharatidza kuburuka kweruoko rwake, nekutsamwa kwehasha, nemurazvo wemoto unopedza, chamupupuri, nemvura ine mhepo, nechimvuramabwe.
  18365. Isa 30:31 Nokuti neinzwi raJehovha muAsiriya achaputsanyiwa; acharova neshamhu.
  18366. Isa 30:32 Uye pose panopfuura tsvimbo yakatarwa, Jehovha yaakaisa pamusoro pake, kuchava nengoma uye nembira; uye nehondo dzekuzungunusa acharwa navo.
  18367. Isa 30:33 Nokuti Tofeti rakagadzwa kare, zvirokwazvo iro rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nekurifarikanisa; dutu rayo moto nehuni zhinji; kufema kwaJehovha kunoitungidza serwizi rwesarufa.
  18368. Isa 31:1 Nhamo kune vanoburukira rubatsiro kuEgipita, vanozembera pamabhiza, nekuvimba nedzingoro nokuti izhinji, nevatasvi vemabhiza nokuti vakasimba kwazvo, asi vasingatarisi kuMutsvene waIsraeri, uye vasingatsvaki Jehovha.
  18369. Isa 31:2 Zvakadaro naiye wakachenjera, uye achauisa chakaipa, uye haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yevaiti vezvakaipa, nekurwisa rubatsiro rwevaiti vezvitadzo.
  18370. Isa 31:3 Nokuti vaEgipita vanhu, havasi Mwari, nemabhiza avo inyama, haasi mweya; Jehovha paachatandavadza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa neanobatsirwa achawira pasi, zvino vose vachapera pamwe chete.
  18371. Isa 31:4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Seshumba nehando yeshumba zvichiombera chijimbiwa chazvo; chaunga chevafudzi pachinodanirwa kuirwira, haingatyi inzwi ravo, uye hainganinipiswi neruzha rwavo, naizvozvo Jehovha wehondo achaburukira kurwira gomo reZiyoni, nechikomo charo.
  18372. Isa 31:5 Seshiri dzinobhururuka, saizvozvo Jehovha wehondo achadzivirira Jerusarema, achidzivirira acharidzikinura, achipfuura, acharichengetedza.
  18373. Isa 31:6 Dzokerai kuna iye vana vaIsraeri wavakamukira kwazvo.
  18374. Isa 31:7 Nokuti nezuva iro umwe neumwe acharasa zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvegoridhe, maoko enyu zvaakakuitirai kuva chivi.
  18375. Isa 31:8 Zvino Asiriya achawa nemunondo usiri wemunhu ane simba; uye munondo usiri wemunhu wepasi uchamupedza; uye achatiza munondo, uye majaya ake achava echibharo.
  18376. Isa 31:9 Zvino dombo rake richapfuura nekuda kwekutya, nemachinda ake achatyityidzirwa nemureza, anoreva Jehovha, ane moto wake uri paZiyoni, nechoto chake paJerusarema.
  18377. Isa 32:1 Tarirai, mambo achatonga mukururama, uye maererano nemachinda, achatonga mumutongo.
  18378. Isa 32:2 Zvino munhu achava senzvimbo yekuvanda mhepo, nechidzikatiro pamvura ine mhepo, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, semumvuri wedombo rinorema panyika yafa nenyota.
  18379. Isa 32:3 Zvino meso evanoona haangasvibirirwi, uye nzeve dzevanonzwa dzichateerera.
  18380. Isa 32:4 Zvino moyo wevanokurumidzira uchanzwisisa ruzivo, nerurimi rwevanokakama rwuchakurumidza kutaura zvinonzwikwa.
  18381. Isa 32:5 Benzi harichazonzi muremekedzwa, neasina unhu haanganzi anokudzwa.
  18382. Isa 32:6 Nokuti benzi rinotaura upenzi, uye moyo waro unoita zvakaipa, kuita unyepedzeri, nekutaura zvinopesana naJehovha, kushaisa chinhu mweya weupenyu une nzara, nekushaisa chinwiwa kune anenyota.
  18383. Isa 32:7 Zvombowo zveasina unhu zvakaipa; iye anopa mazano akaipa, kuparadza varombo nemashoko enhema, kunyange anoshaiwa akataura zvakarurama.
  18384. Isa 32:8 Asi anoremekedzwa anopa mazano ezvinoremekedzwa; uye iye anomira nezvinoremekedzwa.
  18385. Isa 32:9 Simukai, vakadzi vakatambarara, munzwe inzwi rangu; vakunda vakachengetedzeka, ipai nzeve pakutaura kwangu.
  18386. Isa 32:10 Mazuva anodarika gore muchadedera, imwi vakachengetedzeka, nokuti goho remazambiringa richapedzwa, kuunganidza hakungasviki.
  18387. Isa 32:11 Dederai, imwi vakadzi vakatambarara; vhiringidzwai, imwi makachengetedzeka; kururai mushame, musunge zviuno nemasaga.
  18388. Isa 32:12 Vachachemera mazamu, minda yakanaka, muzambiringa unobereka.
  18389. Isa 32:13 Pamusoro penyika yevanhu vangu pachamera minzwa nerukato; zvirokwazvo pamusoro pedzimba dzose dzemufaro, muguta remhururu.
  18390. Isa 32:14 Zvirokwazvo muzinda uchasiiwa; chaunga cheguta chichasiiwa; chikomo neshongwe yekurinda zvichava mapako kusvika rinhi narinhi, mufaro wembongoro dzemusango, mafuro emapoka ezvipfuwo;
  18391. Isa 32:15 kusvika mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye renje rive munda unobereka, nemunda unobereka uchinzi isango.
  18392. Isa 32:16 Ipapo mutongo uchagara murenje, uye kururama kuchagara mumunda unobereka.
  18393. Isa 32:17 Zvino basa rekururama richava rugare, uye kushumira kwekururama kuchanyarara nekutendeka kusvika rinhi narinhi.
  18394. Isa 32:18 Zvino vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, nepanzvimbo dzekugara dzakachengetedzeka, nepanzvimbo dzekuzorora dzakanyarara.
  18395. Isa 32:19 Asi kuchanaya chimvuramabwe pakuburuka kwesango; uye guta richaderedzerwa mumupata.
  18396. Isa 32:20 Makaropafadzwa imwi munokusha pamvura dzose, munosundira gumbo renzombe nerembongoro.
  18397. Isa 33:1 Nhamo kwauri unoparadza, asi usina kuparadzwa; uye unoita nekunyengera, asi vasina kukuitira nekunyengera! Paunenge wapedza kuparadza, uchaparadzwa; paunenge wapedza kuita nekunyengera, vachakuitira nekunyengera.
  18398. Isa 33:2 Jehovha, mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwavo pamangwanani ose, neruponeso rwedu panguva yekutambudzika.
  18399. Isa 33:3 Paruzha rwekupupuma vanhu vachatiza; kubva pakukudzwa kwenyu marudzi achapararira.
  18400. Isa 33:4 Uye zvakapambiwa zvenyu zvichaunganidzwa, kuunganidza kwemhashu diki; vachamhanyira kwazviri semumhanyiro wemhashu.
  18401. Isa 33:5 Jehovha wakakwirira, nokuti anogara pakakwirira; anozadza Ziyoni nemutongo nekururama.
  18402. Isa 33:6 Zvino uchenjeri neruzivo zvichava kusimba kwenguva dzako, simba reruponeso rukuru; kutya Jehovha ifuma yake.
  18403. Isa 33:7 Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzerugare dzinochema misodzi zvinorwadza.
  18404. Isa 33:8 Migwagwa mikuru yava pasina, anopfuura nenzira waguma; waputsa sungano, wazvidza maguta, haana hanya nemunhu.
  18405. Isa 33:9 Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni rinonyara, raoma; Sharoni rava serenje; uye Bhashani neKarimeri azuka mashizha.
  18406. Isa 33:10 Ikozvino ndichasimuka, anoreva Jehovha; ikozvino ndichakudzwa, ikozvino ndichakwiridzirwa.
  18407. Isa 33:11 Muchabata mimba yehundi, muchabereka makoto; mweya wenyu, moto uchakupedzai.
  18408. Isa 33:12 Zvino marudzi achava sezvakapiswa zvesuko, seminzwa yakatemwa vachapiswa nemoto.
  18409. Isa 33:13 Inzwai, imwi muri kure, zvandakaita; nemwi muri pedo, zivai simba rangu.
  18410. Isa 33:14 Vatadzi vari paZiyoni vanotya; kudedera kwabata vanyepedzeri. Ndiyani pakati pedu angagara nemoto unoparadza? Ndiyani pakati pedu angagara nekupisa kukuru kusingaperi?
  18411. Isa 33:15 Uyo anofamba muururami ukuru; uye anotaura pauchokwadi ukuru; iye anoshora fuma yemanikidzo; anozuza maoko ake pakubata fufuro; anodzivira nzeve yake pakunzwa kuteuka kweropa; uye anotsinzina meso ake pakutarira zvakaipa;
  18412. Isa 33:16 iye achagara panzvimbo dzakakwirira; nhare dzemabwe dzichava utiziro hwake; zvekudya zvichapiwa kwaari; mvura yake ichava yakatendeka.
  18413. Isa 33:17 Meso ako achaona mambo pakunaka kwake; achaona nyika iri kure kwazvo.
  18414. Isa 33:18 Moyo wako uchafunganya kutyisa, uchiti: Aripi muverengi? Aripi muyeri? Aripi muverengi wedzishongwe?
  18415. Isa 33:19 Haungaoni vanhu vanovirima, vanhu vane mutauro wakadzama kupfuura zvaunonzwisisa, vane rurimi rwunokakama rwausinganzwisisi.
  18416. Isa 33:20 Tarirai Ziyoni, guta remitambo yedu yakatarwa; meso ako achaona Jerusarema, ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, mbambo dzaro hadzingazodzurwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.
  18417. Isa 33:21 Asi Jehovha achavapo nesu neumambo, nzvimbo yenzizi, yehova dzakafaranuka; magwa anokwasviwa haangasvikipo, nechikepe chikuru hachingapfuuripo.
  18418. Isa 33:22 Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mupi wemirairo wedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.
  18419. Isa 33:23 Mabote ako akadembenuka; haagoni kusimbisa muromo wepasi wedanda rechikepe chavo; haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapiwa nezvakapambiwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapiwa.
  18420. Isa 33:24 Zvino mugari haangati: Ndinorwara. Vanhu vageremo vachakanganwirwa chitadzo.
  18421. Isa 34:1 Swederai, imwi marudzi, kuti munzwe, nemwi vanhu, teererai; nyika ngainzwe, nekuzara kwayo, pasi, nezvose zvinobudapo.
  18422. Isa 34:2 Nokuti kutsamwa kwaJehovha kuri pamusoro pemarudzi ose, uye hasha pamusoro pehondo dzavo dzose; wakavaparadza chose, wakavapa kukuurawa.
  18423. Isa 34:3 Zvino vakaurawa vavo vacharaswa kunze, uye kunhuhwa kwavo kuchakwira kubva pazvitunha zvavo, nemakomo achanyunguduswa neropa ravo.
  18424. Isa 34:4 Zvino hondo yose yematenga ichapedzwa; nematenga achapetwa serugwaro; uye hondo dzaro dzose dzichawira pasi seshizha rinodonha mumuzambiringa uye seonde rinodonha pamuonde.
  18425. Isa 34:5 Nokuti munondo wangu wanyikwa mumatenga; tarirai, uchaburukira pamusoro peEdhomu, nepamusoro pevanhu vekuparadza kwangu mumutongo.
  18426. Isa 34:6 Munondo waJehovha uzere neropa; wakakodzwa nemafuta, neropa remakwai nedzimbudzi, nemafuta eitsvo dzemakondohwe; nokuti Jehovha ane chibairo muBhozira, nekuuraya kukuru munyika yeEdhomu.
  18427. Isa 34:7 Zvino nyati dzichawa pamwe navo, nenzombe diki pamwe nehandira; uye nyika yavo ichanyikwa muropa, neguruva ravo richakodzwa nemafuta.
  18428. Isa 34:8 Nokuti izuva retsivo raJehovha, gore rekudzoserwa kukuru kwegakava reZiyoni.
  18429. Isa 34:9 Zvino hova dzayo dzichashandurwa kuva namo, neguruva raro kuva sarufa, nenyika yavo ichava namo inopfuta.
  18430. Isa 34:10 Haingadzimwi usiku nemasikati; utsi hwayo huchakwira nekusingaperi; richava dongo kusvika kuzera nezera; hakuna munhu angapfuura mariri kusvika rinhi narinhi.
  18431. Isa 34:11 Asi hukurwizi nenungu zvichadya nhaka yayo; uye zizi negunguwo zvichagara mairi; uye achatandavadzira pamusoro payo rwonzi rwekuparadza nemabwe ekushaya chinhu.
  18432. Isa 34:12 Vachadanira vakuru vayo umambo, asi hapana achavapo; nemachinda ayo ose achava pasina.
  18433. Isa 34:13 Zvino minzwa ichamera mumizinda yayo, ubayambeva nerukato mudzinhare dzayo; uye ichava ugaro hwemabukanana, musha wevakunda vemhou.
  18434. Isa 34:14 Uye zvikara zvemarenje zvichasangana nezvikara zvinoungudza, nenhongo ichadana imwe yayo; zvirokwazvo dhimoni reusiku richazororapo, richazviwanira nzvimbo yekuzorora.
  18435. Isa 34:15 Rovambira richaita dendere raropo, nekukandira, nekuchochonya, nekuvhumbamira pasi pemumvuri waro; nemagora achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro.
  18436. Isa 34:16 Tsvakai pabhuku raJehovha, muverenge; hakuna kana chimwe cheizvi chichashaikwa, hakuna chichashaikwa umwe wacho; nokuti muromo wangu pachawo waraira; nemweya wake pachawo wazviunganidza.
  18437. Isa 34:17 Nokuti iye wakavakandira mujenya, neruoko rwake rwakavaganhurira nerwonzi; ichava nhaka yavo nekusingaperi, kubva kuzera kusvika kuzera vachagara mariri.
  18438. Isa 35:1 Renje nenyika yakaoma zvichavafarira; nesango richafara, richatumbuka seruva.
  18439. Isa 35:2 Richatumbuka zvizhinji nekufara, kunyange nemufaro nekuimba; kubwinya kweRebhanoni kuchapiwa kwariri, ukuru hweKarimeri neSharoni; ivo vachaona kubwinya kwaJehovha, ukuru hwaMwari wedu.
  18440. Isa 35:3 Simbisai maoko asina simba, uye musimbise mabvi anodedera.
  18441. Isa 35:4 Itii kune vane moyo inokurumidza: Simbai! Musatya. Tarirai Mwari wenyu achauya netsivo, kudzosera kwaMwari, iye achauya agokuponesai.
  18442. Isa 35:5 Ipapo meso emapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.
  18443. Isa 35:6 Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, nerurimi rwembeveve rwuchaimba, nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova mugwenga.
  18444. Isa 35:7 Ivhu rakatsva richava madhaka, nevhu rakaoma richava zvitubu zvemvura. Paugaro hwemabukanana panzvimbo yawo yekurara pachava neuswa netsanga nenhokwe.
  18445. Isa 35:8 Zvino ipapo pachava nenzira huru, nenzira, uye ichanzi nzira yeutsvene; wakasviba haangapfuuripo, asi ichava yeuyo anofamba nenzira; kunyange vari mapenzi havangarasiki.
  18446. Isa 35:9 Ipapo hapangavi neshumba, kunyange chikara chinopamba hachingakwiripo, hachingawanikwipo; asi vakadzikunurwa vachafamba nayo.
  18447. Isa 35:10 Zvino vakanunurwa vaJehovha vachadzoka, uye vachapinda muZiyoni mukuimba, nemufaro warinhi narinhi pamusoro wavo; mufaro nekupembera vachazviwana, asi kusuwa nekugomera zvichatiza.
  18448. Isa 36:1 Zvino zvakaitika, mugore regumi nemana ramambo Hezekia, Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakakwira kurwisa maguta ose aJudha akashoshewa, ndokuatora.
  18449. Isa 36:2 Zvino mambo weAsiriya wakatuma Rabhi-Shake kubva paRakishi kuenda kuJerusarema kuna mambo Hezekia ane hondo inorema. Zvino wakamira pamugero wedziva rekumusoro, panzira huru yemunda wemusuki.
  18450. Isa 36:3 Zvino kwakabudira kwaari Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, munyori wenhoroondo.
  18451. Isa 36:4 Zvino Rabhi-Shake wakati kwavari: Taurai ikozvino kuna Hezekia: Ndizvo zvinoreva mambo mukuru, mambo weAsiriya: Chivimboi ichi chaunovimba nacho?
  18452. Isa 36:5 Ndinoti (asi ishoko remiromo): Kune zano nesimba rehondo. Ikozvino unovimba nani kuti undimukire?
  18453. Isa 36:6 Tarira, unovimba nemudonzvo werutsanga rwakavhunika urwu, paEgipita, kana munhu akasendama parwuri, rwuchapinda muruoko rwake, ndokurwubaya; wakadaro Farao mambo weEgipita kune vose vanovimba naye.
  18454. Isa 36:7 Asi kana ukati kwandiri: Tinovimba naJehovha Mwari wedu; haasi iye nzvimbo dzake dzakakwirira nedziaritari dzake Hezekia zvaakabvisa ndokuti kuna Judha nekuna Jerusarema: Muchanamata pamberi pearitari iyi?
  18455. Isa 36:8 Naizvozvo zvino, ipa hako chibatiso kuna tenzi wangu mambo weAsiriya, zvino ndichakupa mabhiza zvuru zviviri, kana iwe uchigona kupa vatasvi pamusoro pawo.
  18456. Isa 36:9 Zvino uchadzosera sei chiso chemutungamiriri umwe wevadiki vevaranda vatenzi wangu? Asi iwe ugovimba naEgipita pangoro nepavatasvi vemabhiza.
  18457. Isa 36:10 Ikozvino ndingakwira here ndisina Jehovha kurwisa nyika iyi kuiparadza? Jehovha wakati kwandiri: Kwira urwise nyika iyi, uiparadze.
  18458. Isa 36:11 Zvino Eriyakimu naShebha naJowa vakati kuna Rabhi-Shake: Taurai henyu kuvaranda venyu chiAramiya, nokuti tinochinzwa; uye musataura kwatiri chiJudha munzeve dzevanhu vari parusvingo.
  18459. Isa 36:12 Asi Rabhi-Shake wakati: Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nekwauri here, kutaura mashoko awa? Hakusi kuvanhu vagere pamusoro perusvingo kuti vadye ndove yavo, nekunwa weti yavo pamwe nemwi here?
  18460. Isa 36:13 Zvino Rabhi-Shake wakamira ndokudanidzira nenzwi guru nechiJudha, ndokuti: Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiriya.
  18461. Isa 36:14 Ndizvo zvinoreva mambo: Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukusunungurai.
  18462. Isa 36:15 Uye Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti: Jehovha achatisunungura zvekusunungura; guta iri haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.
  18463. Isa 36:16 Musateerera kuna Hezekia; nokuti ndizvo zvinoreva mambo weAsiriya: Tsvakai nyasha kwandiri nechipo, mugobudira kwandiri, mugodya umwe neumwe muzambiringa wake, uye umwe neumwe muonde wake, nekunwa umwe neumwe mvura yetsime rake;
  18464. Isa 36:17 kusvika ndasvika ndakubvisirai kunyika yakafanana nenyika yenyu, nyika yezviyo newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa.
  18465. Isa 36:18 Zvimwe Hezekia angakunyengetedzai achiti: Jehovha achatisunungura. Vamwari vendudzi vakambosunungura umwe neumwe nyika yake muruoko rwamambo weAsiriya here?
  18466. Isa 36:19 Varipi vamwari veHamati neAripadhi? Varipi vamwari veSefarivhaimi? Zvirokwazvo vakasunungura Samariya paruoko rwangu here?
  18467. Isa 36:20 Ndivana ani pakati pavamwari vose venyika idzi vakasunungura nyika yavo paruoko rwangu, kuti Jehovha achasunungura Jerusarema paruoko rwangu?
  18468. Isa 36:21 Asi vakanyarara, uye havana kumupindura shoko; nokuti murairo wamambo waiti: Musamupindura.
  18469. Isa 36:22 Zvino kwakauya Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, kuna Hezekia, vane nguvo dzakabvarurwa, ndokumuudza mashoko aRabhi-Shake.
  18470. Isa 37:1 Zvino zvakaitika pakunzwa kwamambo Hezekia, kuti wakabvarura nguvo dzake, ndokuzvifukidza saga, ndokupinda muimba yaJehovha.
  18471. Isa 37:2 Zvino wakatuma Eriakimu waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, nevakuru vevapristi, vakazvifukidza masaga, kuna Isaya mwanakomana waAmozi muporofita.
  18472. Isa 37:3 Zvino vakati kwaari: Anoreva seizvi Hezekia: Zuva rino izuva redambudziko nerekusvorwa nekunyomba, nokuti vana vasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rekuzvara.
  18473. Isa 37:4 Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko aRabhi-Shake, mambo weAsiriya tenzi wake waakatuma kuzvidza Mwari mupenyu, nekumhura pamashoko Jehovha Mwari wenyu aakanzwa; naizvozvo simudzirai vakasara vanowanikwa munyengetero.
  18474. Isa 37:5 Zvino varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
  18475. Isa 37:6 Isaya ndokuti kwavari: Muchareva seizvi kuna tenzi wenyu: Anoreva seizvi Jehovha: Usatya nekuda kwemashoko awakanzwa, varanda vamambo weAsiriya avakandimhura nawo.
  18476. Isa 37:7 Tarira, ndichaisa mweya maari, uye achanzwa runyerekupe, uye achadzokera kunyika yake; uye ndichamuwisisa nemunondo munyika yake.
  18477. Isa 37:8 Zvino Rabhi-Shake wakadzoka, ndokuwana mambo weAsiriya achirwa neRibhina, nokuti waiva anzwa kuti wabva paRakishi.
  18478. Isa 37:9 Wakati achinzwa zvaTirihaka mambo weItiyopiya, zvichinzi: Abuda kuzorwa newe; paakanzwa, wakatuma nhume kuna Hezekia, achiti:
  18479. Isa 37:10 Uchataura seizvi kuna Hezekia mambo waJudha, uchiti: Mwari wako waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti: Jerusarema haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.
  18480. Isa 37:11 Tarira, iwe wakanzwa madzimambo eAsiriya zvaakaitira kunyika dzose, kudziparadza; zvino iwe uchasunungurwa here?
  18481. Isa 37:12 Vamwari vendudzi vakasunungura here avo madzibaba angu avakaparadza: Gozani, naHarani, naRezefi, nevana vaEdheni vaiva paTerasari?
  18482. Isa 37:13 Aripi mambo weHamati, namambo weAripadhi, namambo weguta reSafarivhaimi, Hena, neIvha?
  18483. Isa 37:14 Zvino Hezekia wakagamuchira tsamba muruoko rwenhume, ndokudziverenga. Hezekia ndokukwira kuimba yaJehovha, ndokuiwaridza pamberi paJehovha.
  18484. Isa 37:15 Zvino Hezekia wakanyengetera kuna Jehovha achiti:
  18485. Isa 37:16 Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, agere pakati pemakerubhi! Imwi muri Mwari, imwi moga, weushe hwose hwenyika; imwi makaita matenga nenyika.
  18486. Isa 37:17 Jehovha, rerekerai nzeve yenyu mugonzwa; vhurai meso enyu, Jehovha, muone, munzwe mashoko ose aSeni-Akeribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.
  18487. Isa 37:18 Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiriya akaparadza nyika dzose nenyika dzadzo,
  18488. Isa 37:19 ndokukandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vaiva vasiri vamwari, asi basa remaoko emunhu, danda neibwe; naizvozvo vakavaparadza.
  18489. Isa 37:20 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari wedu, tiponesei kubva paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti imwi muri Jehovha, imwi moga.
  18490. Isa 37:21 Zvino Isaya mwanakomana waAmozi wakatuma kuna Hezekia achiti: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Zvawanyengetera kwandiri maererano naSeni-Akeribhi mambo weAsiriya,
  18491. Isa 37:22 iri ishoko Jehovha raataura maererano naye: Mhandara, mukunda weZiyoni, anokuzvidza, anokusveveredza; mukunda weJerusarema wakadzungudza musoro shure kwako.
  18492. Isa 37:23 Ndiani wawakatuka nekunyomba? Uye wakasimudzira ani inzwi, wakasimudzira meso ako kumusoro? Kurwisa Mutsvene waIsraeri.
  18493. Isa 37:24 Neruoko rwevaranda vako wakatuka Ishe, ndokuti: Neuwandu hwedzingoro dzangu ini ndakakwira pakakwirira pemakomo, mativi eRebhanoni. Zvino ndichatema misidhari yaro mirefu, miti yemisipiresi yakasarudzwa yaro, uye ndichapinda pakakwirira pemicheto yaro, sango raro dema.
  18494. Isa 37:25 Ini ndakachera ndikanwa mvura, uye nepasi petsoka dzangu ndakapwisa nzizi dzose dzenzvimbo dzakashoshewa.
  18495. Isa 37:26 Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, panguva dzekare, kuti ndakazviumba? Ikozvino ndaita zviitike, kuti ungava wekuparadza maguta akashoshewa, ave matutu ematongo.
  18496. Isa 37:27 Naizvozvo vagari vawo vaiva neruoko rupfupi, vakatya, ndokunyara, vaiva seuswa hwesango, nemuriwo munyoro, uswa hwedenga reimba, nezviyo zvakatsva zvisati zvakura.
  18497. Isa 37:28 Asi ndinoziva kugara kwako, nekubuda kwako, nekupinda kwako, uye kunditsamwira kwako.
  18498. Isa 37:29 Nekuda kwekunditsamwira kwako, uye kuti ruzha rwako rwakakwira munzeve dzangu, ndakaisa haka yangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
  18499. Isa 37:30 Zvino ichi chichava chiratidzo kwauri: Uchadya gore rino zvinozvimerera, uye mugore rechipiri zvinotunga kubva pazviri; asi negore rechitatu dzvarai, mugokohwa, mudzvare minda yemizambiringa, mudye zvibereko zvayo.
  18500. Isa 37:31 Zvino zvakapukunyuka zveimba yaJudha zvakasara zvichatsirazve midzi pasi, zvibereke zvibereko kumusoro.
  18501. Isa 37:32 Nokuti muJerusarema muchabuda zvakasara, nezvakapukunyuka pagomo reZiyoni. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchaita izvi.
  18502. Isa 37:33 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano namambo weAsiriya: Haangapindi muguta iri, uye haangapotseri musevemo, uye haangauyi pamberi paro nenhovo, uye haangatutiri gomo revhu pakatarisana naro.
  18503. Isa 37:34 Nenzira yaakauya nayo, achadzokera naiyoyo, uye haangapindi muguta rino, anoreva Jehovha.
  18504. Isa 37:35 Nokuti ndichadzivirira guta rino kuriponesa nekuda kwangu uye nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu.
  18505. Isa 37:36 Ipapo mutumwa waJehovha wakabuda ndokurova pamusasa wevaAsiriya zvuru zana nemakumi masere nezvishanu; pavakamuka mangwanani-ngwanani, zvino tarira, vose vava zvitunha zvakafa.
  18506. Isa 37:37 Naizvozvo Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakabva, ndokuenda, ndokudzokera, ndokugara muNinivhe.
  18507. Isa 37:38 Zvino zvakaitika paaishumira muimba yaNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezari vanakomana vake vakamurova nemunondo; ivo ndokupukunyukira kunyika yeArarati. Esari-Hadhoni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.
  18508. Isa 38:1 Mumazuva iwawo Hezekia wakarwarira kufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi ndokusvika kwaari, ndokuti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Raira imba yako, nokuti uchafa, uye haungararami.
  18509. Isa 38:2 Zvino Hezekia wakatendeudzira chiso chake kumadziro, ndokunyengetera kuna Jehovha,
  18510. Isa 38:3 ndokuti: Ndinokukumbirisai, Jehovha, dorangarirai kuti ndakafamba pamberi penyu muchokwadi uye nemoyo wakaperera, uye ndakaita zvakanaka pameso penyu. Hezekia ndokuchema nekuchema kukuru.
  18511. Isa 38:4 Zvino shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti:
  18512. Isa 38:5 Enda, ugoti kuna Hezekia: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waDhavhidhi baba vako: Ndanzwa munyengetero wako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore gumi nemashanu.
  18513. Isa 38:6 Uye ndichakusunungura iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiriya, uye ndichadzivirira guta rino.
  18514. Isa 38:7 Zvino ichi chiratidzo kwauri chinobva kuna Jehovha, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaataura:
  18515. Isa 38:8 Tarira, ndichadzosera shure mumvuri wenhanho dzawaiva waburuka nadzo panhanho dzaAhazi pazuva, nhanho gumi kumashure. Zvino zuva rakadzoka kumashure nhanho gumi panhanho dzaraiva raburuka nadzo.
  18516. Isa 38:9 Chinyorwa chaHezekia mambo waJudha paairwara, apora paurwere hwake.
  18517. Isa 38:10 Ini ndakati: Pakugurwa kwemazuva angu ndichaenda pamasuwo eguva; nditorerwe akasara emakore angu.
  18518. Isa 38:11 Ndakati: Handichazooni Jehovha, Jehovha panyika yevapenyu; handichazotaririzve vanhu pamwe nevagari vepanyika.
  18519. Isa 38:12 Zera rangu rabva uye rabviswa kwandiri setende remufudzi wemakwai; ndapeta upenyu hwangu semuruki; achandigura kubva parushinda; kubva masikati kusvika pausiku munondigumisa.
  18520. Isa 38:13 Ndakamuisa kusvika mangwanani, seshumba, saizvozvo achavhuna mapfupa angu ose; kubva masikati kusvika pausiku munondigumisa.
  18521. Isa 38:14 Senyenganyenga kana kondo, saizvozvo ndakatsviriridza, ndakachema senjiva; meso angu akapera nekutarira kumusoro; Ishe, ndakamanikidzwa, ivai chibatiso changu.
  18522. Isa 38:15 Ndingatii? Zvaakataura kwandiri, uye iye wakazviita; ndichafamba zvinyoro-nyoro makore angu ose mukurwadziwa kwemweya weupenyu wangu.
  18523. Isa 38:16 Ishe, vanorarama neizvi; uye pazvinhu izvi zvose pane upenyu hwemweya wangu. Zvino muchandirapa, mundiraramise.
  18524. Isa 38:17 Tarirai, pachinzvimbo cherugare ndine kurwadziwa kukuru; asi imwi makada mweya weupenyu wangu kubva pagomba rekuparadzwa; nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwemusana wenyu.
  18525. Isa 38:18 Nokuti guva haringakuvongii, rufu harukurumbidzii; avo vanoburukira kugomba havangatariri chokwadi chenyu.
  18526. Isa 38:19 Mupenyu, mupenyu, iye achakuvongai, seni nhasi; baba vachazivisa vana pamusoro pechokwadi chenyu.
  18527. Isa 38:20 Jehovha wakazvigadzirira kundiponesa; naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa mazuva ose eupenyu hwedu muimba yaJehovha.
  18528. Isa 38:21 Nokuti Isaya waiva ati: Ngavatore sumbu remaonde varinamire pamota, zvino achapora.
  18529. Isa 38:22 Hezekiawo waiva ati: Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?
  18530. Isa 39:1 Panguva iyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi wakatuma dzitsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti waiva anzwa kuti wairwara akapora.
  18531. Isa 39:2 Hezekia ndokufara pamusoro pavo, ndokuvaratidza imba yake yezvinokosha, sirivha, negoridhe, nezvinonhuhwira, nemafuta anokosha, neimba yose yezvombo zvake, nezvose zvaiwanikwa pafuma yake; kwaiva kusina chinhu muimba yake kana muushe hwake hwose Hezekia zvaasina kuvaratidza.
  18532. Isa 39:3 Zvino kwakauya Isaya muporofita kuna mambo Hezekia, ndokuti kwaari: Varume ava vati kudii? Uye vasvika kwauri vachibvepi? Hezekia ndokuti: Vabva kunyika iri kure, vachiuya kwandiri, vachibva kuBhabhironi.
  18533. Isa 39:4 Iye ndokuti: Vaonei muimba yako? Hezekia ndokuti: Vaona zvose zviri muimba yangu; hapana chinhu chandisina kuvaratidza pakati pezvakakosha zvangu.
  18534. Isa 39:5 Isaya ndokuti kuna Hezekia: Inzwa shoko raJehovha wehondo:
  18535. Isa 39:6 Tarira, mazuva achauya, apo zvose zviri muimba yako uye izvo madzibaba ako zvaakakuchengetera kusvika zuva rino zvichatakurirwa kuBhabhironi; hakuna chichasiiwa, anoreva Jehovha.
  18536. Isa 39:7 Zvino vachatora pavanakomana vako vachabuda mauri, vauchabereka, kuti vachava vatenwa mumuzinda wamambo weBhabhironi.
  18537. Isa 39:8 Hezekia ndokuti kuna Isaya: Rakanaka shoko raJehovha ramataura. Akatiwo: Nokuti kuchava nerugare nechokwadi pamazuva angu.
  18538. Isa 40:1 Nyaradzai, munyaradze vanhu vangu, anoreva Mwari wenyu.
  18539. Isa 40:2 Taurirai kumoyo weJerusarema, mudanidzire kwariri kuti hondo yaro yapera, kuti kuipa kwaro kwaregererwa, nokuti rakagamuchira muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pazvivi zvaro zvose.
  18540. Isa 40:3 Inzwi reanodanidzira murenje achiti: Gadzirai nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu nzira huru mugwenga.
  18541. Isa 40:4 Mupata umwe neumwe uchasimudzwa, uye gomo rimwe nerimwe nechikomo zvichaderedzwa; uye pakakombama pacharuramiswa, nenzvimbo dzine makoronga dzichaenzaniswa.
  18542. Isa 40:5 Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa; nenyama yose ichaonekwa pamwe chete; nokuti muromo waJehovha wataura.
  18543. Isa 40:6 Inzwi rati: Danidzirai! Iye ndokuti: Ndichadanidzirei? Nyama yose uswa, nekunaka kwayo kose kwakaita seruva resango.
  18544. Isa 40:7 Uswa hunosvava, ruva rinobvuruvara, nokuti mweya waJehovha unofuridza pazviri; zvirokwazvo vanhu uswa.
  18545. Isa 40:8 Uswa hunosvava, ruva rinobvuruvara; asi shoko raMwari wedu rinomira nekusingaperi.
  18546. Isa 40:9 Iwe Ziyoni, unounza mashoko akanaka, kwira pagomo refu; iwe Jerusarema, unounza mashoko akanaka, simudza inzwi rako nesimba; simudza, usatya; iti kumaguta aJudha: Tarirai Mwari wenyu!
  18547. Isa 40:10 Tarira, Ishe Jehovha achauya nesimba, uye ruoko rwake rwuchamutongera; tarira, mubairo wake anawo, uye basa rake riri pamberi pake.
  18548. Isa 40:11 Achafudza boka rake semufudzi wemakwai; achaunganidza makwayana neruoko rwake, nekuatakura pachipfuva chake; achatungamirira zvakanaka anoyamwisa.
  18549. Isa 40:12 Ndiyani wakayera mvura zhinji muchanza cheruoko rwake, nekuyera matenga neminwe yakatandavadzwa, nekutakura guruva repasi muchiyero, nekuyera makomo pachipimo, nezvikomo pachiyero?
  18550. Isa 40:13 Ndiyani wakayera Mweya waJehovha, kana wakamudzidzisa semupi wemazano wake?
  18551. Isa 40:14 Wakapangana nani, wakamuita anzwisise, nekumudzidzisa munzira yemutongo, nekumudzidzisa ruzivo, wamuzivisa nzira yekunzwisisa kukuru?
  18552. Isa 40:15 Tarirai, marudzi akaita sedonhwe rechirongo, uye anoverengwa seguruva diki rechiyero; tarirai, anosimudza zviwi sechinhu chidiki-diki.
  18553. Isa 40:16 NeRebhanoni harina kuringanira kutsva, uye mhuka dzaro hadzina kuringanira chipo chinopiswa.
  18554. Isa 40:17 Marudzi ose akaita seasiri chinhu pamberi pake, akaverengerwa kwaari pasi pakusava chinhu nekusava nechinhu.
  18555. Isa 40:18 Zvino mungafananidza Mwari nani? Kana mungamuenzanisa nemufananidzo upi?
  18556. Isa 40:19 Nyanzvi inonyungudusa chifananidzo chakavezwa, nemupfuri wegoridhe anochidzura negoridhe, nekupfura uketani hwesirivha.
  18557. Isa 40:20 Murombo asina chipo anosarudza muti usingavori, amutsvakire muvezi nyanzvi kuti agadzire chifananidzo chisingazungunuki.
  18558. Isa 40:21 Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva panheyo dzenyika here?
  18559. Isa 40:22 Ndiye agere pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vagari vayo vakaita semhashu; uyo anotatamura matenga seketeni, nekuawaridza setende rekugara;
  18560. Isa 40:23 uyo anoita machinda asava chinhu; vatongi venyika anovaita vave sevasina maturo.
  18561. Isa 40:24 Zvirokwazvo havangasimwi, zvirokwazvo havangadzvarwi, zvirokwazvo hunde yavo haingadziki midzi muvhu; naiye achafuridza pamusoro pavo, vosvava, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.
  18562. Isa 40:25 Zvino mungandifananidza nani, wandingaenzana naye? anoreva Mutsvene.
  18563. Isa 40:26 Simudzirai meso enyu kumusoro, muone ndiyani wakasika izvi, anobudisa hondo dzazvo neuwandu, anodana zvose zvazvo nezita, neukuru hwemasimba ake, nokuti wakagwinya pamasimba; hakune chimwe chinoshaikwa.
  18564. Isa 40:27 Unoreverei, iwe Jakove, uchitaura, iwe Israeri, uchiti: Nzira yangu yakavanzika kuna Jehovha, uye mutongo wangu unopfuudzwa kubva pana Mwari wangu?
  18565. Isa 40:28 Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari wekusingaperi, Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, haaziyi, uye haaneti; njere dzake hadzinzvereki.
  18566. Isa 40:29 Anopa simba anoziya, uye anowedzera simba kune asina kugwinya kukuru.
  18567. Isa 40:30 Nevechidiki vachaziya nekuneta, nemajaya achawa zvekuwa;
  18568. Isa 40:31 asi vanomirira Jehovha vachavandudza simba; vachasimuka nemapapiro semakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
  18569. Isa 41:1 Nyararai pamberi pangu, imwi zviwi; uye vanhu ngavavandudze simba; ngavaswedere, zvino vataure; ngatiswedere pamwe chete kumutongo.
  18570. Isa 41:2 Ndiani wakamutsa wakarurama kubva kumabvazuva? Akamudanira rutsoka rwake; akapa marudzi pamberi pake; akamuita atonge pamusoro pemadzimambo; akavapa seguruva kumunondo wake, sehundi inopepereswa kuuta hwake.
  18571. Isa 41:3 Akavadzingirira, akapfuura akachengetedzeka nenzira yaasina kumbofamba netsoka dzake.
  18572. Isa 41:4 Ndiani wakashanda, akazviita, achidana mazera kubva pakutanga? Ini Jehovha, wekutanga newekupedzisira; ndini iye.
  18573. Isa 41:5 Zviwi zvakaona zvikatya; migumo yenyika yakadedera, ikaswedera, yakasvika.
  18574. Isa 41:6 Vakabatsira umwe neumwe muvakidzani wake, uye kuhama yake anoti: Simba.
  18575. Isa 41:7 Zvino muvezi wakasimbisa mupfuri wegoridhe, anorodza nyundo wakasimbisa anorova pachipfuriro, achiti pamusoro pekunamatidza: Zvakanaka. Ndokuzvisimbisa nezvipikiri kuti zvisazungunuswa.
  18576. Isa 41:8 Asi iwe Israeri, muranda wangu, Jakove wandakasarudza, mbeu yaAbhurahama shamwari yangu,
  18577. Isa 41:9 iwe wandakatora kubva kumigumo yenyika, ndikakudana kuvakuru vayo, ndikati kwauri: Uri muranda wangu, ndakakusarudza, uye handina kukurasa.
  18578. Isa 41:10 Usatya, nokuti ndinewe; usacheuka-cheuka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo ndichakubatsira; zvirokwazvo ndichakutsigira neruoko rwerudyi rwekururama kwangu.
  18579. Isa 41:11 Tarira, vose vanokutsamwira vachanyadziswa vave nenyadzi; vanorwa newe vachava pasina uye vachaparara.
  18580. Isa 41:12 Uchavatsvaka, asi haungavawani; vanhu vanopikisana newe vachava sechinhu pasina; uye vanoita hondo newe vachava sechinhu chisina maturo.
  18581. Isa 41:13 Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndinobata ruoko rwako rwerudyi, ndinoti kwauri: Usatya, ini ndichakubatsira.
  18582. Isa 41:14 Usatya iwe Jakove honye, imwi vanhu vekwaIsraeri, ini ndichakubatsirai, anoreva Jehovha, uye mudzikunuri wako, Mutsvene waIsraeri.
  18583. Isa 41:15 Tarira, ndakakuita mupuro wakapinza mutsva, une mazino; uchapura makomo, nekuaputsa-putsa, uye uchaita zvikomo zvive sehundi.
  18584. Isa 41:16 Uchaarudza, uye mhepo ichaabvisa, nechamupupuri chichaaparadzira; asi iwe uchafara muna Jehovha, uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.
  18585. Isa 41:17 Varombo nevanoshaiwa vanotsvaka mvura, asi haipo; rurimi rwavo rwaoma nenyota. Ini Jehovha ndinovapindura, ini Mwari waIsraeri, handivasii.
  18586. Isa 41:18 Ndichazarura nzizi panzvimbo dzakakwirira, nematsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura.
  18587. Isa 41:19 Ndichasima parenje musidhari, muakasia, nemumirite, nemuti wemafuta; ndichaisa mugwenga musipiresi, nemupani, nemufiri pamwe chete;
  18588. Isa 41:20 kuti vaone uye vazive uye varangarire nekunzwisisa pamwe chete kuti ruoko rwaJehovha rwaita izvi, uye Mutsvene waIsraeri wakazvisika.
  18589. Isa 41:21 Swededzai nyaya yenyu, anoreva Jehovha; swededzai zvinodzivirira zvenyu, anoreva Mambo waJakove.
  18590. Isa 41:22 Ngavaswededze, uye vatiudze zvichaitika; ngavataure zvinhu zvekare kuti zvii, kuti tizviise mumoyo yedu, tizive mugumo wazvo; kana mutinzwise zvinhu zvinouya.
  18591. Isa 41:23 Revai zvinhu zvichauya pashure, kuti tizive kuti muri vamwari; hongu itai zvakanaka kana itai zvakaipa, zvino tichashamiswa titarise tose pamwe chete.
  18592. Isa 41:24 Tarirai, munobva pasina chinhu, uye basa renyu rinobva pasina, chinyangadzo kune anokusarudzai.
  18593. Isa 41:25 Ndamutsa umwe anobva kumaodzanyemba, zvino wasvika; anobva kumabudazuva, achadana zita rangu; uye achauya pamusoro pemachinda sedope, uye semuumbi anokanya ivhu.
  18594. Isa 41:26 Ndiani wakareva kubva pakutanga, kuti tizive? Uye kubva panguva yekumashure, kuti titi: Wakarurama? Zvirokwazvo hapana wakareva, zvirokwazvo hapana anonzwisa, zvirokwazvo hapana anonzwa mashoko enyu.
  18595. Isa 41:27 Wekutanga achati paZiyoni: Tarirai, uvatarire; uye ndichapa kuJerusarema anoparidza mashoko akanaka.
  18596. Isa 41:28 Nokuti ndakatarisa, uye kwaiva kusina munhu, uye pakati pavo kusina mupangi wemazano. Zvino ndakavabvunza vakadzosa shoko:
  18597. Isa 41:29 Tarirai, vose havana maturo; mabasa avo kushaya maturo; zvifananidzo zvavo zvakaumbwa nekunyungudusa imhepo nekusava nezviripo.
  18598. Isa 42:1 Tarira muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu; upenyu hwangu hunofadzwa [maari]; ndakaisa mweya weupenyu wangu pamusoro pake. Achabudisira marudzi mutongo.
  18599. Isa 42:2 Haangadani, uye haangasimudzi inzwi, uye haanganzwisi inzwi rake panze.
  18600. Isa 42:3 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangaidzimi; achabudisira mutongo kuchokwadi.
  18601. Isa 42:4 Haanganeti uye haangapwanyiwi, kusvika agadza mutongo panyika; uye zviwi zvichamirira murairo wake.
  18602. Isa 42:5 Anoreva seizvi Mwari Jehovha, iye wakasika matenga nekuatatamura, iye anowaridza nyika nezvinobuda mairi, iye anopa kufema kuvanhu pamusoro payo, nemweya kune vanofamba pairi:
  18603. Isa 42:6 Ini Jehovha ndakudana nekururama, uye ndichabata ruoko rwako, nekukuchengeta, nekukupa uve sungano yevanhu, uve chiedza chemarudzi;
  18604. Isa 42:7 kuti usvinudze meso mapofu, kubudisa musungwa kubva mutirongo, vagere murima kubva muimba yetirongo.
  18605. Isa 42:8 Ndini Jehovha, iri izita rangu; uye handipi rukudzo rwangu kune umwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo zvakavezwa.
  18606. Isa 42:9 Tarirai, zvinhu zvekare zvasvika; uye ndinoparidza zvinhu zvitsva; zvisati zvabukira ndinokuitai munzwe.
  18607. Isa 42:10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake kubva kumugumo wenyika, imwi munoburukira kugungwa, nekuzara kwaro, zviwi, nevagari vazvo.
  18608. Isa 42:11 Renje nemaguta aro ngazvisimudze inzwi, misha inogara Kedhari; vagari vemuibwe ngavaimbe, vadanidzire kubva pamusoro wemakomo.
  18609. Isa 42:12 Ngavape rukudzo kuna Jehovha, uye ngavaparidze kurumbidzwa kwake kuzviwi.
  18610. Isa 42:13 Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira semunhu wedzihondo; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, akunde vavengi vake.
  18611. Isa 42:14 Ndakanyarara kare, ndakati zii, ndakazvibata, ndichachema semukadzi anosununguka, ndichafemedzeka nekutakwaira pamwe chete.
  18612. Isa 42:15 Ndichaparadza makomo nezvikomo, nekuomesa zvose zvinomera zvazvo, uye nzizi ndichadziita zviwi, nemadziva ndichaaomesa.
  18613. Isa 42:16 Zvino ndichafambisa mapofu nenzira yaasingazivi; ndichaatungamirira mumakwara aasina kuziva. Ndichaita rima rive chiedza pamberi pavo, uye zvakakombama zvive zvakarurama. Ndichavaitira zvinhu izvi, uye handingavasii.
  18614. Isa 42:17 Vachadzoserwa shure, vachanyadziswa zvikuru, avo vanovimba nezvifananidzo zvakavezwa, vanoti kuzvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa: Imwi muri vamwari vedu.
  18615. Isa 42:18 Imwi matsi, inzwai; uye imwi mapofu, mutarise kuti muone.
  18616. Isa 42:19 Ndiani bofu kunze kwemuranda wangu, uye matsi senhume yangu yandinotuma? Ndiani bofu sewakakwana, uye bofu semuranda waJehovha?
  18617. Isa 42:20 Iwe unoona zvinhu zvizhinji asi hauzvicherechedzi; iye anozarura nzeve asi haanzwi.
  18618. Isa 42:21 Jehovha anofara nekuda kwekururama kwake; achakudza murairo nekuuita uremekedzeke.
  18619. Isa 42:22 Asi ava vanhu vakabirwa nekupambiwa; vose vakateyiwa mumakomba, uye vakavigwa mudzimba dzetirongo; vava chakatapwa, uye hakuna anonunura; vava chinhu chakapambiwa, uye hakuna anoti: Dzosa.
  18620. Isa 42:23 Ndiani pakati penyu achapa nzeve kune izvi, ateerere nekunzwa panguva inouya?
  18621. Isa 42:24 Ndiani wakapa Jakove kukupambwa, naIsraeri kumakororo? Waiva asiri Jehovha here watakatadzira? Nokuti havana kuda kufamba munzira dzake, uye havana kuteerera kumurairo wake.
  18622. Isa 42:25 Naizvozvo wakadurura pamusoro pake kupfuta kwekutsamwa kwake, nesimba rehondo; uye zvakamupfutidzira moto kumativi ose, asi haana kuziva; zvino zvikamupisa, asi haana kuzviisa pamoyo.
  18623. Isa 43:1 Asi ikozvino, anoreva seizvi Jehovha wakakusika, iwe Jakove, iye wakakuumba, iwe Israeri: Usatya, nokuti ini ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
  18624. Isa 43:2 Paunogura nemumvura zhinji, ndinewe, nemunzizi, hadzingakukukuri; paunofamba nemumoto, haungatsvi, nemurazvo haungakupfutidzi.
  18625. Isa 43:3 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, muponesi wako; ndakapa Egipita kuva rudzikunuro rwako, Itiyopiya neShebha pachinzvimbo chako.
  18626. Isa 43:4 Sezvawaiva wakakosha pameso pangu, waikudzwa, uye ini ndakakuda; zvino ndakapa vanhu pachinzvimbo chako, nemarudzi pachinzvimbo cheupenyu hwako.
  18627. Isa 43:5 Usatya, nokuti ndinewe; ndichauisa mbeu yako kubva kumabvazuva, nekukuunganidza kubva kumavirazuva.
  18628. Isa 43:6 Ndichati kumaodzanyemba: Regedza; nekuchamhembe: Usanyima; uisai vanakomana vangu kubva kure, nevakunda vangu kubva kumigumo yenyika,
  18629. Isa 43:7 umwe neumwe anodanwa nezita rangu, nokuti ndakamusikira rukudzo rwangu, ndakamuumba, zvirokwazvo ndakamuita.
  18630. Isa 43:8 Budisai vanhu mapofu ane meso, nematsi dzine nzeve.
  18631. Isa 43:9 Marudzi ose ngaaungane pamwe chete, nevanhu vasangane. Ndiani pakati pavo angatiudza izvozvi? Kana vangatinzwisa zvinhu zvekare, ngavauise zvapupu zvavo, kuti vanzi havana mhosva, uye ngavanzwe vagoti: Ichokwadi.
  18632. Isa 43:10 Muri zvapupu zvangu, anoreva Jehovha, nemuranda wangu wandakasarudza, kuti muzive uye munditende, nekunzwisisa kuti ndini iye, mberi kwangu hakuna kumboumbwa mwari, uye shure kwangu hakungavi neumwe.
  18633. Isa 43:11 Ini, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi.
  18634. Isa 43:12 Ini ndakadanidzira, ndakaponesa, ndakaparidza; uye kwaiva kusina mwari wendudzi pakati penyu. Naizvozvo muri zvapupu zvangu, anoreva Jehovha, kuti ndini Mwari.
  18635. Isa 43:13 Zvirokwazvo, zuva risati ravapo, ini ndini iye, uye hakuna angadzikinura muruoko rwangu; ndichashanda, uye ndiani angadzosera kumashure?
  18636. Isa 43:14 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: Nekuda kwenyu ndakatuma kuBhabhironi, ndikaburusira pasi vose vanotiza varo, nevaKaradhiya muzvikepe zvekuchema kwavo.
  18637. Isa 43:15 Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.
  18638. Isa 43:16 Anoreva seizvi Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara mumvura zhinji ine simba;
  18639. Isa 43:17 anobudisa ngoro nebhiza, hondo uye simba; zvicharara pamwe, hazvingamuki, zvichapera chose, zvidzime setambo yemwenje.
  18640. Isa 43:18 Musarangarira zvinhu zvekutanga, musafunganya zvinhu zvekare.
  18641. Isa 43:19 Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; ikozvino chichabukira, hamungachizivi here? Ndichaitawo nzira murenje, nzizi mugwenga.
  18642. Isa 43:20 Mhuka dzesango dzichandirumbidza, mabukanana nevakunda vemazizi; nokuti ndinopa mvura zhinji murenje, nzizi mugwenga, kuti ndinwise vanhu vangu, vasarudzwa vangu.
  18643. Isa 43:21 Vanhu ava vandakazviumbira; vachaparidza rumbidzo yangu.
  18644. Isa 43:22 Zvakadaro hauna kudana kwandiri, Jakove, asi wakaneta neni, Israeri.
  18645. Isa 43:23 Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvako zvinopiswa; hauna kundiremekedza nezvibairo zvako; handina kukuita ushumire nechipo, uye handina kukunetesa nezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  18646. Isa 43:24 Hauna kunditengera ipwa nemari; hauna kundigutisa nemafuta ezvibairo zvako; asi wakandishandisa nezvivi zvako, wakandinetesa nezvakaipa zvako.
  18647. Isa 43:25 Ini, ini, ndini ndinodzima zvitadzo zvako nekuda kwangu, uye handicharangariri zvivi zvako.
  18648. Isa 43:26 Ndiyeudzire, ngatitongane; rondedzera iwe, kuti unzi hauna mhosva.
  18649. Isa 43:27 Baba vako vekutanga vakatadza, nevaturikiri vako vakandidarikira.
  18650. Isa 43:28 Naizvozvo ndakasvibisa machinda eimba tsvene, ndakapa Jakove kukuparadzwa, naIsraeri kukutukwa.
  18651. Isa 44:1 Zvino ikozvino, inzwa, iwe Jakove muranda wangu, newe Israeri wandakasarudza:
  18652. Isa 44:2 Anoreva seizvi Jehovha wakakuita, nekukuumba kubva muchizvaro, achakubatsira: Usatya, Jakove muranda wangu, newe Jeshuruni wandakasarudza.
  18653. Isa 44:3 Nokuti ndichadira mvura pamusoro peane nyota, nemafashame pamusoro pevhu rakaoma. Ndichadira mweya wangu pamusoro pembeu yako, neropafadzo yangu pamusoro pechizvarwa chako.
  18654. Isa 44:4 Zvino vachabukira pakati peuswa, semikonachando pahova dzemvura.
  18655. Isa 44:5 Umwe achati: Ndiri waJehovha; uye umwe azvidaidze nezita raJakove; umwezve achanyora muruoko rwake achiti: Ndiri waJehovha; nekuzvipa mutupo nezita raIsraeri.
  18656. Isa 44:6 Anoreva seizvi Jehovha, Mambo waIsraeri, neMudzikunuri wake, Jehovha wehondo: Ndini wekutanga uye ndini wekupedzisira; uye kunze kwangu hakuna Mwari.
  18657. Isa 44:7 Zvino ndiani angadana seni, nekuzviparidza, nekuzvirongedzera ini, kubva pandakagadza vanhu vekare? Nezvinhu zvinouya, nezvichauya, ngavazviparidze kwavari.
  18658. Isa 44:8 Musavhunduka uye musatya; handina kukunzwisai here kubva panguva iyo, ndikazviparidza? Zvino imwi muri zvapupu zvangu. Kuna Mwari here kunze kwangu? Zvirokwazvo hakuna rimwe Ibwe; handirizivi.
  18659. Isa 44:9 Vose vanoumba zvifananidzo zvakavezwa havana maturo, nezvinhu zvavo zvinodikanwa hazvibatsiri chinhu; ivowo zvapupu zvavo; havaoni uye havazivi, kuti vanyare.
  18660. Isa 44:10 Ndiani wakaumba mwari kana wakaumba nekunyungudusa chifananidzo chakavezwa chisingabatsiri chinhu?
  18661. Isa 44:11 Tarira, vose vafambidzani vake vachanyara, nevavezi vanobva pavanhu; ngavaunganidzwe vose, ngavasimuke, ngavatye, vanyare pamwe chete.
  18662. Isa 44:12 Mupfuri anopfura sanhu, anoshanda nemazimbe, nekuriumba nedzinyundo, nekurishanda nesimba reruoko rwake; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, kusvika aneta.
  18663. Isa 44:13 Muvezi anotatamura chitariso, anotara nechinyoreso, anochiita nembezo, uye anochitara nekambasi, anochiita nemufananidzo wemunhu, nerunako rwemunhu, kuti chigare mumba.
  18664. Isa 44:14 Anozvitemera misidhari, ndokutora musipiresi nemuouki, ndokuzvisimbisira iyo pakati pemiti yesango, anosima mupaini, mvura yekunaya ndokuukurisa.
  18665. Isa 44:15 Zvino zvichava zvemunhu kuti avese, uye achatora pazviri ndokudziya, zvirokwazvo anopfutidza ndokubika chingwa, zvirokwazvo anoita mwari, ndokumukotamira, wakachiita chifananidzo chakavezwa, ndokuchifugamira.
  18666. Isa 44:16 Anopisa hafu yacho mumoto; pane hafu yacho anodya nyama; anogocha mugochiwa ndokuguta; zvirokwazvo, anodziya ndokuti: Haiwa, ndadziya, ndaona moto.
  18667. Isa 44:17 Zvino zvakasara zvawo anozviita kuva mwari, zvive chifananidzo chake chakavezwa; anochifugamira ndokushumira nekunamata kwachiri, ndokuti: Ndinunurei, nokuti muri mwari wangu.
  18668. Isa 44:18 Havana kuziva uye havana kunzwisisa, nokuti wakanamira meso avo kuti vasaona, nemoyo yavo kuti vasanzwisisa.
  18669. Isa 44:19 Hakuna anorangarira mumoyo make, uye hakuna ruzivo, uye hakuna kunzwisisa, kuti ati: Ndapisa hafu yacho mumoto, uye zvirokwazvo ndabika chingwa pamusoro pemazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvacho here? Ndingafugamira danda remuti here?
  18670. Isa 44:20 Anodya madota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, uye haasununguri mweya weupenyu wake, uye haati: Hakuna nhema muruoko rwangu rwerudyi here?
  18671. Isa 44:21 Rangarira zvinhu izvi, Jakove, naIsraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Israeri, haungakanganikwi neni.
  18672. Isa 44:22 Ndakadzima zvitadzo zvako segore rinorema, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.
  18673. Isa 44:23 Imbai, matenga, nokuti Jehovha wakaita izvozvo; danidzirai, mativi ari pasi enyika; pururudzai nekuimba, makomo, sango nemuti umwe neumwe uri mariri; nokuti Jehovha wakadzikinura Jakove, wakazvirumbidza muna Israeri.
  18674. Isa 44:24 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri wako, naiye wakakuumba kubva pachizvaro: Ndini Jehovha anoita zvinhu zvose, anotatamura matenga ari oga, anowaridza nyika ndomene;
  18675. Isa 44:25 anoshaisa maturo zviratidzo zvevane nhema, uye anopengesa vavuki, anodzosera shure vachenjeri, uye anoita ruzivo rwavo rwuve upenzi;
  18676. Isa 44:26 anosimbisa shoko remuranda wake, uye anopedzeredza zano renhume dzake; anoti pamusoro peJerusarema: Richagarwa; nepamusoro pemaguta aJudha: Muchavakwa; uye ndichamutsa matongo aro;
  18677. Isa 44:27 iye anoti kuudziku: Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako;
  18678. Isa 44:28 iye anoti pamusoro paKoreshi: Mufudzi wangu, uye achapedzeredza mufaro wangu wose; uye ati pamusoro peJerusarema: Ngarivakwe; uye pamusoro petembere: Nheyo dzako ngadziteyiwe.
  18679. Isa 45:1 Anoreva seizvi Jehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, weruoko rwake rwerudyi rwandakabata, kuti ndiise marudzi pasi pamberi pake, uye ndichisunungura zviuno zvemadzimambo, kuti ndizarure misuwo miviri pamberi pake, nemasuwo arege kuvharwa.
  18680. Isa 45:2 Ini ndichafamba pamberi pako, ndigotasanura nzvimbo dzakakombama; ndichaputsa-putsa misuwo yendarira, nekupamura mazariro egoridhe.
  18681. Isa 45:3 Uye ndichakupa zvinokosha zverima, nefuma zhinji yakavanzwa yepanzvimbo dzechivande, kuti uzive kuti ndini Jehovha anokudana nezita rako, Mwari waIsraeri.
  18682. Isa 45:4 Nekuda kwemuranda wangu Jakove, nekwaIsraeri musarudzwa wangu, zvirokwazvo ndakakudana nezita rako, ndakakupa mutupo kunyange waiva usina kundiziva.
  18683. Isa 45:5 Ndini Jehovha, uye hakuna umwe; kunze kwangu hakuna Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange waiva usina kundiziva.
  18684. Isa 45:6 Kuti vazive kubva kumabudazuva uye kubva kumavirazuva kuti hakuna umwe kunze kwangu; ndini Jehovha, uye hakuna umwe.
  18685. Isa 45:7 Ndinoumba chiedza, nekusika rima; ndinoita rugare, nekusika chakaipa; ini Jehovha ndinoita zvinhu izvi zvose.
  18686. Isa 45:8 Donhedzai madonwe, matenga, kubva kumusoro, nechadenga ngachidurure kururama. Nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, uye kururama ngakumere pamwe chete; ini Jehovha ndakazvisika.
  18687. Isa 45:9 Nhamo kune anopokana neMuumbi wake, chaenga nezvaenga zvevhu! Ivhu ringati kune wakariumba here: Unoitei? Kana basa rako ringati here: Haana maoko?
  18688. Isa 45:10 Nhamo kune anoti kuna baba: Unoberekei? Kana kumukadzi: Unozvarei?
  18689. Isa 45:11 Anoreva seizvi Jehovha, Mutsvene waIsraeri, neMuumbi wake: Ndibvunzei pamusoro pezvinhu zvinouya, maererano nevanakomana vangu, uye maererano nebasa remaoko angu, mundiraire.
  18690. Isa 45:12 Ini ndakaita nyika, nekusika vanhu pamusoro payo; ini, maoko angu akatatamura matenga; uye ndakaraira hondo dzawo dzose.
  18691. Isa 45:13 Ini ndakamumutsa nekururama, uye ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nekusunungura vatapwa vangu, kwete nemutengo uye kwete nemubairo, anoreva Jehovha wehondo.
  18692. Isa 45:14 Anoreva seizvi Jehovha: Basa reEgipita, nezvitengeswa zveItiyopiya, nezvevaSabhiya, varume varefu, zvichapfuurira kwauri, uye zvive zvako; vachakutevera, vachayambukira vari mumaketani, uye vachafugama pamberi pako, vachaita mikumbiro kwauri vachiti: Zvirokwazvo Mwari uri mamuri, uye hakuna umwe, hakuna umwe Mwari.
  18693. Isa 45:15 Zvirokwazvo muri Mwari anozvivanza, Mwari waIsraeri, Muponesi.
  18694. Isa 45:16 Vachanyara, uyewo vachava nenyadzi vose; vachafamba vari chinyadzo pamwe chete, vavezi vezvifananidzo.
  18695. Isa 45:17 Asi vaIsraeri vachaponeswa naJehovha neruponeso rwusingaperi; hamunganyadziswi uye hamungavi nenyadzi kusvika panguva dzekusingaperi.
  18696. Isa 45:18 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wakasika matenga, Mwari amene wakaumba nyika nekuiita, iye akaisimbisa, asingaisikiri pasina, wakaiumbira kugarwa: Ndini Jehovha, hakuna umwe.
  18697. Isa 45:19 Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yerima renyika; handina kuti kurudzi rwaJakove: Nditsvakei pasina. Ini Jehovha ndinotaura kururama, ndinoparidza zvakarurama.
  18698. Isa 45:20 Unganai muuye; swederai pamwe chete, imwi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri zvifananidzo zvavo zvakavezwa havazivi, zvino vanonyengetera kuna mwari asingaponesi.
  18699. Isa 45:21 Revai, muswededze, hongu avo vanopangana pamwe chete vachiti: Ndiani wakaparidza izvi kubva kare? Ndiani wakataura kubva panguva iyo? Handisi ini Jehovha here? Uye hakuna umwe Mwari kunze kwangu, Mwari wakarurama neMuponesi, hakuna umwe kunze kwangu.
  18700. Isa 45:22 Tarirai kwandiri zvino muchaponeswa imwi migumo yose yenyika, nokuti ndini Mwari uye hakuna umwe.
  18701. Isa 45:23 Ndakapika neni ndomene, shoko rabuda mumuromo mangu mukururama uye haringadzoki, kuti ibvi rimwe nerimwe richapfugama, rurimi rwumwe nerwumwe rwuchapika.
  18702. Isa 45:24 Zvirokwazvo umwe achati: Muna Jehovha ndine kururama nesimba; vachauya kwaari; asi vose vaiva vakamutsamwira vachanyara.
  18703. Isa 45:25 Muna Jehovha chizvarwa chose chaIsraeri chichanzi hachina mhosva uye chichazvirumbidza.
  18704. Isa 46:1 Bheri anokotama, Nebho anozvininipisa; zvifananidzo zvavo zvaiva zvezvipfuwo, uye zvaiva zvemombe; mitundu yenyu inorema mutoro [wemhuka] dzakaneta.
  18705. Isa 46:2 Vanokotama, vanofugama pamwe chete, havana kugona kununura mutoro, uye vakaenda muutapwa pachavo.
  18706. Isa 46:3 Nditeererei, imba yaJakove, nevose vakasara veimba yaIsraeri, vakatakurwa neni kubva mudumbu, vakasimudzwa kubva pachizvaro;
  18707. Isa 46:4 uye kusvika mukukwegura ndini iye, hongu, kusvika pakuchena musoro ini ndichakutakurai; ini ndakaita, hongu ini ndichasimudza, hongu ini ndichatakura uye ndichanunura.
  18708. Isa 46:5 Muchandifananidza nekundienzanisa nekunditodzanisa nani kuti tifanane?
  18709. Isa 46:6 Vanodurura goridhe kubva muhomwe, nekuyera sirivha nechiyero; vanoripira mupfuri, iye ndokuita mwari naro; vanowira pasi, hongu, vanonamata.
  18710. Isa 46:7 Vanomusimudza pafudzi, vanomutakura nekumuzorodza panzvimbo yake; zvino anomira, haafambi kubva panzvimbo yake; hongu, umwe anodanidzira kwaari, asi haapinduri, haamuponesi pakumanikidzwa kwake.
  18711. Isa 46:8 Rangarirai ichi, muzviratidze muri varume, zvidzosei muhana, imwi vadariki.
  18712. Isa 46:9 Rangarirai zvinhu zvekutanga zvekare; nokuti ndini Mwari, uye hakuna umwe, ndini Mwari, uye hakuna wakafanana neni;
  18713. Isa 46:10 anoparidza mugumo kubva pakutanga, nepanguva dzekare zvisati zvaitwa, anoti: Zano rangu rinomira uye ndinoita zvinondifadza zvose;
  18714. Isa 46:11 ndichidana gora kubva kumabvazuva, munhu wezano rangu kubva kunyika iri kure; zvirokwazvo ndakataura, uye ndichazviitisa, ndakazvitema, ndichazviitawo.
  18715. Isa 46:12 Nditeererei, imwi mune moyo yakasimba, muri kure nekururama.
  18716. Isa 46:13 Ndinoswededza kururama kwangu, hakungavi kure, neruponeso rwangu harwunganonoki; asi ndichapa ruponeso paZiyoni, kubwinya kwangu kwaIsraeri.
  18717. Isa 47:1 Buruka ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pavhu pasina chigaro cheushe, iwe mukunda wevaKaradhiya; nokuti hauchazonzi une moyo wakapfava uye munyoro.
  18718. Isa 47:2 Tora makuyo, uye kuya upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, kurura rokwe, fukura gumbo, yambuka nzizi.
  18719. Isa 47:3 Kushama kwako kucharatidzwa pachena, hongu kunyara kwako kuchaonekwa; ndichatsiva, uye handisangani newe semunhu.
  18720. Isa 47:4 Mudzikunuri wedu, Jehovha wehondo ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri.
  18721. Isa 47:5 Gara unyerere, uye pinda murima, iwe mukunda wevaKaradhiya; nokuti hauchazonzi vahosi veushe huzhinji.
  18722. Isa 47:6 Ndakatsamwira vanhu vangu, ndakasvibisa nhaka yangu, uye ndakavapa muruoko rwako. Hauna kuvanzwira tsitsi huru, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pemutana.
  18723. Isa 47:7 Iwe wakati: Ndichava vahosi nekusingaperi; kudai kuti hauna kuisa zvinhu izvi mumoyo mako, hauna kurangarira mugumo wazvo.
  18724. Isa 47:8 Naizvozvo ikozvino inzwa izvi, iwe unozvinofadza, ugere wakatambarara, unoti mumoyo mako: Ndini, uye hakuna umwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, uye handingazivi kufirwa nevana.
  18725. Isa 47:9 Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira mukubwaira kweziso, nezuva rimwe, kufirwa nevana, neuchirikadzi; zvichakuwira zvakaperedzerwa, nekuda kweuwandu hweuroyi hwako, nekuda kweuwandu ukuru hweun’anga hwako.
  18726. Isa 47:10 Nokuti wakavimba neuipi hwako; wakati: Hakuna anondiona. Uchenjeri hwako neruzivo rwako ndizvo zvakakutsausa; zvino wakati mumoyo mako: Ndini, uye hakuna umwe kunze kwangu.
  18727. Isa 47:11 Nechakaipa chichakusvikira; hauzivi kuedza kwacho; uye njodzi ichakuwira; haungagoni kuiitira rudzikunuro; uye kuparara kuchasvika pakarepo pamusoro pako; usingazivi.
  18728. Isa 47:12 Mira ikozvino neuroyi hwako uye neuwandu hweun’anga hwako, hwawakashingaira mahuri kubva paudiki hwako, zvimwe uchagona kuwana rubatsiro, zvimwe ungatyisa.
  18729. Isa 47:13 Waneta muuwandu hwemazano ako; ikozvino vadudziri vezvekudenga, vanoona zvenyeredzi, vanozivisa nezvemwedzi, ngavasimuke vakuponese pazvinhu zvichakuwira.
  18730. Isa 47:14 Tarira, vachava semashanga; moto uchavapisa; havangazvinunuri pasimba remurazvo; hakungavi nezimbe rekudziya, kana moto kugara mberi kwawo.
  18731. Isa 47:15 Vachava saizvozvo kwamuri vawakashingaira navo, vawakatengeserana navo kubva paudiki hwako, vachadzungaira umwe neumwe kunzvimbo yake; hakungavi nemuponesi wako.
  18732. Isa 48:1 Inzwai izvi, imwi imba yaJakove, makadanwa nezita raIsraeri, uye makabuda kumvura zhinji yekwaJudha; munopika nezita raJehovha, munorangaridza zvaMwari waIsraeri, pasiri pachokwadi uye pasiri pakururama.
  18733. Isa 48:2 Nokuti vanozviti veguta dzvene, uye vanozembera pana Mwari waIsraeri; zita rake ndiJehovha wehondo.
  18734. Isa 48:3 Ndakaparidza zvinhu zvekare kubva panguva iyoyo, uye zvakabuda kubva mumuromo mangu, uye ndakazvinzwisa; pakarepo ndakaita uye zvakasvika.
  18735. Isa 48:4 Nokuti ndaiziva kuti wakaoma, uye mutsipa wako runda rwedare, nehuma yako indarira;
  18736. Isa 48:5 zvirokwazvo kubva pakutanga ndakadanidzira kwauri, ndakakunzwisa zvisati zvaitika, zvimwe ungati: Chifananidzo changu chazviita, nechifananidzo changu chakavezwa, nechifananidzo changu chakaumbwa nekunyungudusa chazviraira.
  18737. Isa 48:6 Wakanzwa; tarira izvi zvose; zvino imwi hamungaparidzi here? Ndakakunzwisai zvinhu zvitsva kubva ikozvino, nezvinhu zvakavanzika zvawaiva usingazivi.
  18738. Isa 48:7 Zvasikwa ikozvino, uye kwete kubva ipapo; kunyange zuva risati rasvika hauna kumbozvinzwa, zvimwe ungati: Tarira, ndaizviziva.
  18739. Isa 48:8 Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, kubva panguva iyo nzeve yako yaiva isina kudziurwa; nokuti ndaiziva kuti wakaita zvekuita nekunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.
  18740. Isa 48:9 Nekuda kwezita rangu ndichanonosa hasha dzangu, uye nekuda kwerumbidzo yangu ndichazvidzora pamusoro pako, kuti ndirege kukugura.
  18741. Isa 48:10 Tarira, ndakakunatsa, asi kwete nesirivha; ndakakusarudza mumvuto yedambudziko.
  18742. Isa 48:11 Nekuda kwangu, nekuda kwangu, ndichaita; nokuti zita rangu ringasvibiswa sei? Zvino handingapi rukudzo rwangu kune umwe.
  18743. Isa 48:12 Nditeererei, Jakove, newe Israeri wakadanwa wangu: Ndini iye, ndini wekutanga, uye ndini wekupedzisira.
  18744. Isa 48:13 Zvino ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rwerudyi rwakatatamura matenga; ndinodana kwazviri, zvinomira pamwe chete.
  18745. Isa 48:14 Unganai imwi mose, munzwe; ndiani pakati pavo wakaparidza zvinhu izvi? Jehovha wakamuda, anoita chido chake paBhabhironi, uye ruoko rwake rwuri pavaKaradhiya.
  18746. Isa 48:15 Ini pachangu ndataura, hongu ndamudana, ndamupinza, uye achabudiririsa nzira yake.
  18747. Isa 48:16 Swederai kwandiri, munzwe ichi; handina kutaura pakavanda kubva pakutanga, kubva panguva yazvakaitika, ndiripo. Zvino ikozvino Ishe Mwari pamwe neMweya wake wandituma.
  18748. Isa 48:17 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene waIsraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa kuti ubatsirike, anokutungamirira nenzira yaunofanira kufamba.
  18749. Isa 48:18 Dai wakateerera mirairo yangu! Apo rugare rwako rwaiva serwizi, nekururama kwako semafungu egungwa!
  18750. Isa 48:19 Uye mbeu yako yaiva sejecha, nechibereko cheura hwako serukangarabwe rwaro; zita rako risingagurwi uye risingaparadzwi kubva pamberi pangu.
  18751. Isa 48:20 Budai muBhabhironi, tizai vaKaradhiya; paridzai neinzwi rekuimba, munzwise izvi, zvibudisei kusvika kumugumo wenyika, muti: Jehovha wakadzikinura muranda wake Jakove.
  18752. Isa 48:21 Zvino havana kunzwa nyota paaivatungamirira mumarenje; wakavayereresera mvura zhinji kubva padombo; uye wakatsemura dombo, mvura zhinji ndokudzutuka.
  18753. Isa 48:22 Hakuna rugare, anoreva Jehovha, kune vakaipa.
  18754. Isa 49:1 Ndinzwei, zviwi, uye teererai, imwi marudzi ari kure: Jehovha wakandidana ndiri muchizvaro, ndiri muura hwamai vangu wakareva zita rangu.
  18755. Isa 49:2 Zvino wakaita muromo wangu semunondo unopinza; wakandivanza mumumvuri weruoko rwake; uye wakandiita museve unopenya; wakandiviga mugoba rake.
  18756. Isa 49:3 Wakati kwandiri: Ndiwe muranda wangu; Israeri wandinozvirumbidza maari.
  18757. Isa 49:4 Zvino ini ndakati: Ndakashingairira pasina; simba rangu ndakariparadzira pasina chinhu nezvisina maturo; zvirokwazvo mutongo wangu uri kuna Jehovha, uye mubairo wangu uri kuna Mwari wangu.
  18758. Isa 49:5 Zvino ikozvino anoreva Jehovha, wakandiumba kubva muchizvaro kuva muranda wake wekudzosera Jakove kwaari: Kunyange Israeri asina kuunganidzwa, zvakadaro ndicharumbidzwa pameso paJehovha, uye Mwari wangu achava simba rangu.
  18759. Isa 49:6 Zvino wakati: Chinhu chidikisa kuti uve muranda wangu wekumutsa marudzi aJakove, nekudzosa vakachengetedzwa vaIsraeri. Ndichakupawo kuva chiedza kuvahedheni, kuti uve ruponeso rwangu kusvika kumugumo wenyika.
  18760. Isa 49:7 Anoreva seizvi Jehovha, Mudzikunuri waIsraeri, Mutsvene wake, kumweya weupenyu unozvidzwa, kune anosemewa nerudzi, kumuranda wevabati: Madzimambo achaona ndokusimuka, machinda naiwo achanamata, nekuda kwaJehovha wakatendeka, Mutsvene waIsraeri, wakakusarudza.
  18761. Isa 49:8 Anoreva seizvi Jehovha: Nenguva inogamuchirika ndakakupindura, uye nezuva reruponeso ndakakubatsira. Zvino ndichakuchengeta ndigokupa kuva sungano yevanhu, kumutsa nyika, kugarisa nhaka dzakaparara,
  18762. Isa 49:9 kuti uti kuvasungwa: Budirai; kune vari murima: Zviratidzei. Vachadya padzinzira, nerufuro rwavo rwuchava panzvimbo dzose dzakakwirira.
  18763. Isa 49:10 Havangavi nenzara uye havangavi nenyota, nekupisa uye zuva hazvingavarovi, nokuti iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, achavaruramisira kumatsime emvura.
  18764. Isa 49:11 Zvino ndichaita makomo angu ose ave nzira, nenzira dzangu huru dzichasimudzirwa.
  18765. Isa 49:12 Tarirai, ava vachabva kure, uye tarira ava kumaodzanyemba nekumavirazuva, neava kunyika yeSinimi.
  18766. Isa 49:13 Imbai imwi matenga, uye fara iwe nyika, mupururudze imwi makomo nekuimba, nokuti Jehovha wanyaradza vanhu vake, nevakarwadziswa vake anovanzwira tsitsi.
  18767. Isa 49:14 Asi Ziyoni rakati: Jehovha wakandisiya, uye Ishe wangu wakandikanganwa.
  18768. Isa 49:15 Mukadzi angakanganwa mwana wake anoyamwa here, kuti asava netsitsi kumwanakomana wechizvaro chake? Zvirokwazvo ivo vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.
  18769. Isa 49:16 Tarira, ndakakunyora nekufombora pazvanza zvangu; masvingo ako agere pamberi pangu.
  18770. Isa 49:17 Vana vako vachakurumidza; vaparadzi vako nevanokupedza vachabuda mauri.
  18771. Isa 49:18 Simudzira meso ako kumativi ose, utarise, vose ava vanoungana, vanouya kwauri. Neupenyu hwangu, anoreva Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uzvisunge chiuno navo semwenga.
  18772. Isa 49:19 Nokuti nzvimbo dzako dzakaparara nenzvimbo dzako dzakasiiwa nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo ikozvino muchatsikirirana nekuda kwevagari, uye vanokumedza vachava kure.
  18773. Isa 49:20 Vana vekufirwa kwako vachatizve munzeve dzako: Nzvimbo iyi yakamanikana zvikuru kwandiri, ndizarurirwe nzvimbo kuti ndigare.
  18774. Isa 49:21 Ipapo uchati mumoyo mako: Ndiani wakandiberekera ava, zvandakafirwa nevana, ndikava ngomwa, ndiri mutapwa, ndinoiswa uko neuko? Uye ndiani wakarera ava? Tarira ini ndaiva ndasara ndoga; ava vaiva varipi?
  18775. Isa 49:22 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichasimudzira rudzi ruoko rwangu, ndimise rupawo rwangu pavanhu; uye vachaunza vanakomana vako pachifuva, nevakunda vako vakatakurwa papfudzi.
  18776. Isa 49:23 Zvino madzimambo achava varerirume vako; uye madzimambokadzi avo achava varerikadzi vako. Vachakufugamira nechiso muvhu, vachinanzva guruva retsoka dzako; ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha; kuti vanovimba neni havanganyadziswi.
  18777. Isa 49:24 Zvakapambiwa zvichatorwa here kune ane simba, kana wakapambiwa pamurairo asunungurwe?
  18778. Isa 49:25 Asi anoreva seizvi Jehovha: Zvirokwazvo, vakatapwa veane simba vachatorwa, nezvakapambiwa zvevanotyisa zvichasunungurwa, nokuti ini ndicharwisana neanorwisana newe, zvino ini ndichaponesa vana vako.
  18779. Isa 49:26 Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo, uye vachadhakwa neropa ravo serinenge waini inonaka. Uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha ndiri Muponesi wako, neMudzikunuri wako, Wemasimbaose waJakove.
  18780. Isa 50:1 Anoreva seizvi Jehovha: Rwuripiko rugwaro rwekurambana rwamai venyu vandakadzinga? Kana ndiani wevakweretesi vangu wandakakutengesai kwaari? Tarirai, makatengeswa nekuda kwezvakaipa zvenyu, uye mai venyu vakadzingwa nekuda kwekudarika kwenyu.
  18781. Isa 50:2 Sei ndakasvika asi kwaiva kusina munhu? Ndakadana asi kwaiva kusina anopindura? Ruoko rwangu rwakapfupiswa zvekupfupiswa here kuti rwusadzikinura? Kana hakuna simba here kwandiri rekununura? Tarira, nekutsiura kwangu ndakaomesa gungwa; ndakaita nzizi dzive renje, hove dzaro dzive kunhuhwa, nokuti hakuna mvura, dzife nekuda kwenyota.
  18782. Isa 50:3 Ndinofukidza matenga nekusviba, uye ndinoita saga rive chifukidziro chawo.
  18783. Isa 50:4 Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwevakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta; anomutsa mangwanani nemangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti ndinzwe sevakadzidza.
  18784. Isa 50:5 Ishe Jehovha wakazarura nzeve yangu, uye ini handina kupanduka, handina kudzokera shure.
  18785. Isa 50:6 Ndakapa musana wangu kuvarovi, nematama angu kune vakatavura muparavara; handina kuvanza chiso changu pakunyomba kukuru nekupfirwa.
  18786. Isa 50:7 Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira; naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakamisa chiso changu semusarasara, uye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
  18787. Isa 50:8 Ari pedo iye anonditi handina mhosva. Ndiyani achandirwisa? Ngatimirisane. Ndiani mupikisi wangu pakutongwa? Ngaaswedere kwandiri.
  18788. Isa 50:9 Tarirai, Ishe Jehovha achandibatsira; ndiani achandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo; chipfukuto chichavadya.
  18789. Isa 50:10 Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera kuinzwi remuranda wake? Anofamba murima guru, uye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, uye asendame kuna Mwari wake.
  18790. Isa 50:11 Tarirai, imwi mose munobatidza moto, munozvisunga zviuno neubaribari; fambai muchiedza chemoto wenyu, nepakati peubaribari hwamakabatidza. Muchava neizvi kubva muruoko rwangu; mucharara pasi mukurwadziwa.
  18791. Isa 51:1 Teererai kwandiri, imwi munotsvakisisa kururama, imwi munotsvaka Jehovha; tarirai kudombo pamakafomborwa, nekugomba remugodhi pamakacherwa.
  18792. Isa 51:2 Tarirai kuna Abhurahama baba venyu, nekuna Sara wakakuberekai; nokuti ndakamudana ari oga uye ndakamuropafadza ndokumuwanza.
  18793. Isa 51:3 Nokuti Jehovha achanyaradza Ziyoni; achanyaradza matongo aro ose; uye achaita renje raro rive seEdheni, negwenga raro rive sebindu raJehovha; mufaro nekupembera zvichawanikwamo, kuvonga, neinzwi rekuimba.
  18794. Isa 51:4 Teererai kwandiri, vanhu vangu; uye ipai nzeve kwandiri imwi rudzi rwangu; nokuti murairo uchabuda mandiri, uye ndichazorodza mutongo wangu uve chiedza chevanhu.
  18795. Isa 51:5 Kururama kwangu kuri pedo; ruponeso rwangu rwabuda; uye maoko angu achatonga vanhu; zviwi zvichandimirira, uye zvichavimba neruoko rwangu.
  18796. Isa 51:6 Simudzirai meso enyu kumatenga, uye mutarisise nyika pasi; nokuti matenga achanyangarika seutsi, nenyika ichasakara senguvo; nevagari vayo vachafa saizvozvo; asi ruponeso rwangu ruchava nekusingaperi, uye kururama kwangu hakungaparadzwi.
  18797. Isa 51:7 Teererai kwandiri, imwi munoziva kururama, rudzi mumoyo marwo mune murairo wangu; musatya kuzvidza kwemunhu, uye musavhunduswa nezvituko zvavo.
  18798. Isa 51:8 Nokuti chipfukuto chichavadya senguvo, nehonye ivadye semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nekusingaperi, neruponeso rwangu kusvika kuzera remazera.
  18799. Isa 51:9 Muka, muka, zvifukidze simba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sepamazuva ekare, pazera renguva dzekarekare. Hausi iwe here wakagura Rahabhi, wakakuvadza bukanana?
  18800. Isa 51:10 Hausi iwe here wapapwisa gungwa, mvura zhinji yeudziku ukuru, wakaita udziku ukuru hwegungwa huve nzira kuti vakadzikunurwa vapfuure nayo?
  18801. Isa 51:11 Naizvozvo vakadzikunurwa vaJehovha vachadzoka, uye vachauya nekuimba kuZiyoni, nemufaro wekusingaperi pamusoro pemusoro wavo. Vachawana mufaro nekupembera. Kusuwa nekugomera zvichatiza.
  18802. Isa 51:12 Ini, ndini ndinokunyaradzai; ndiwe ani kuti utye munhu anozofa? Kana mwanakomana wemunhu achaitwa uswa here?
  18803. Isa 51:13 Uye wakakanganwa Jehovha muiti wako, iye wakatatamura matenga, nekuteya nheyo dzenyika; unoramba uchitya mazuva ose nekuda kwehasha dzemumanikidzi, sezvinonzi akazvipira kuparara here? Zvino hasha dzemumanikidzi dziripi?
  18804. Isa 51:14 Musungwa wakatapwa anokurumidza kuti asunungurwe, kuti asafira mugomba, kuti kudya kwake kusashaikwa.
  18805. Isa 51:15 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
  18806. Isa 51:16 Zvino ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, uye ndakakufukidza mumumvuri weruoko rwangu, kuti ndidzvare matenga, nekuteya nheyo dzenyika, uye nditi kuZiyoni: Muri vanhu vangu.
  18807. Isa 51:17 Muka, muka, simuka, Jerusarema, iwe wakanwa kubva paruoko rwaJehovha mukombe wekutsamwa kwake; wakanwa masese emukombe wekudederesa, ukaakweva.
  18808. Isa 51:18 Hakuna pakati pevanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira; uye hakuna angamubata neruoko pakati pevanakomana vose vaakarera.
  18809. Isa 51:19 Zviviri izvi zvakuwira; ndiani achakunzwira tsitsi? Kusiiwa nekuparadzwa nenzara nemunondo; ndichakunyaradza nani?
  18810. Isa 51:20 Vanakomana vako vaziya, varere panhongonya dzenzira dzose dzemumusha, sehando yesango mumambure; vazere hasha dzaJehovha, kutsiura kwaMwari wako.
  18811. Isa 51:21 Naizvozvo ikozvino inzwa ichi, iwe unotambudzika, uye wakadhakwa, asi kwete newaini.
  18812. Isa 51:22 Anoreva seizvi Ishe wako, Jehovha, naMwari wako, anoreverera nyaya yevanhu vake: Tarira, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wekudzedzeresa, manzete emukombe wekutsamwa kwangu; haungazounwizve.
  18813. Isa 51:23 Asi ndichauisa muruoko rwevanokutambudza, ivo vakati kumweya weupenyu wako: Kotama, kuti tipfuure; iwe ukaita musana wako sevhu, uye senzira yemumusha kune vanopfuura.
  18814. Isa 52:1 Muka, muka, pfeka simba rako, iwe Ziyoni; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusarema, guta dzvene; nokuti kubva ikozvino hakungapinda mukati mako asina kudzingiswa neasina kuchena.
  18815. Isa 52:2 Zvizunze kubva muguruva; simuka, ugare pasi, iwe Jerusarema; zvisunungure pazvisungo zvemutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.
  18816. Isa 52:3 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Makatengeswa pasina; zvino muchadzikunurwa pasina mari.
  18817. Isa 52:4 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Vanhu vangu vakaburukira Egipita nenguva yekare kunogarako sevatorwa; zvino muAsiriya wakavamanikidza pasina chikonzero.
  18818. Isa 52:5 Zvino ikozvino, ndinei pano, anoreva Jehovha, kuti vanhu vangu vanotorerwa pasina; vanotonga pamusoro pavo vanovaungudzisa, anoreva Jehovha; uye zita rangu rinoramba richinyombwa zuva rose.
  18819. Isa 52:6 Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo nezuva iro vachaziva kuti ndini ndinotaura; tarira, ndini.
  18820. Isa 52:7 Dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzeanouya nemashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya nemashoko akanaka ezvakanaka, anonzwisa ruponeso, anoti kuZiyoni: Mwari wako anotonga!
  18821. Isa 52:8 Inzwi renharirire dzako! Vachasimudza inzwi, vachaimba zvikuru pamwe chete; nokuti vachaona ziso neziso, Jehovha paachadzosa Ziyoni.
  18822. Isa 52:9 Pururudzai nemufaro, imbai pamwe chete, imwi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusarema.
  18823. Isa 52:10 Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pameso pemarudzi ose; uye migumo yose yenyika ichaona ruponeso rwaMwari wedu.
  18824. Isa 52:11 Ibvai, ibvai, budai ipapo, musabata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; ivai vakachena, imwi munotakura midziyo yaJehovha.
  18825. Isa 52:12 Nokuti hamungabudi muchikurumidza, uye hamungaendi muchitiza; nokuti Jehovha achafamba pamberi penyu; uye Mwari waIsraeri achava muvhumbamiri mumashure.
  18826. Isa 52:13 Tarirai, muranda wangu achaita neuchenjeri; achakwiridzwa, nekusimudzwa, nekukwirira kwazvo.
  18827. Isa 52:14 Sezvo vazhinji vakashamiswa nemwi, kuonekwa kwake kwakakuvara zvakadai, kupfuura upi neupi, nechimiro chake kupfuura vanakomana vevanhu.
  18828. Isa 52:15 Saizvozvo achasasa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira muromo wawo pamusoro pake; nokuti zvavasina kurondedzerwa vachazviona, nezvavasina kunzwa vachazvinzwisisa.
  18829. Isa 53:1 Ndiani wakatenda mharidzo yedu? Uye ruoko rwaJehovha rwakazarurirwa kuna ani?
  18830. Isa 53:2 Nokuti achamera pamberi pake sebukira nyoro, uye semudzi pavhu rakaoma; haana chimiro uye haana runako; patinomuona hapana rukwezvo kuti timude.
  18831. Isa 53:3 Anozvidzwa uye anorambwa nevanhu, munhu wekurwadziwa kukuru uye wakajaira marwadzo, setinovanza zviso kwaari; wakazvidzwa, uye hatina kumukudza.
  18832. Isa 53:4 Zvirokwazvo iye wakatakura marwadzo edu, ndokutakura kusuwa kukuru kwedu; asi isu takati wakarangwa, wakarohwa naMwari, uye wakatambudziwa.
  18833. Isa 53:5 Asi wakakuvadzwa nekuda kwezvitadzo zvedu, akapwanyiwa nekuda kweuipi hwedu; kurangwa kwerugare rwedu kwaiva pamusoro pake, uye takaporeswa nemavanga ake.
  18834. Isa 53:6 Isu tose semakwai takarasika, takatsauka umwe neumwe nenzira yake; uye Jehovha wakaburusira pamusoro pake uipi hwedu tose.
  18835. Isa 53:7 Wakamanikidzwa uye iye wakatambudzwa, zvakadaro haana kushamisa muromo wake; wakauyiswa pakubaiwa segwayana uye segwai rinyerere pamberi pevavevuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
  18836. Isa 53:8 Wakabviswa pakumanikidzwa nepakutongwa; zvino ndiani achazivisa zera rake? Nokuti wakagurwa akabviswa panyika yevapenyu. Nekuda kwechitadzo chevanhu vangu, shamhu yaiva paari.
  18837. Isa 53:9 Uye wakaita guva rake pamwe nevakaipa, uye akava pamwe nemufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, uye pasina kunyengera pamuromo wake.
  18838. Isa 53:10 Asi zvakafadza Jehovha kumupwanya, wakamurwarisa; kana mweya weupenyu wake uchiita chibairo chechivi, achaona chibereko, acharebesa mazuva, uye mufaro waJehovha uchabudirira muruoko rwake.
  18839. Isa 53:11 Achaona zvinobva pakutambudzika kwemweya weupenyu wake, achagutiswa; kubudikidza neruzivo rwake muranda wangu wakarurama acharuramisira vazhinji, nokuti iye achatakura zvakaipa zvavo.
  18840. Isa 53:12 Naizvozvo ndichamugovera pamwe nevazhinji, uye achagoverana zvakapambiwa pamwe nevane simba; nokuti wakadurura mweya weupenyu wake pakufa, uye akaverengwa pamwe nevadariki, zvino iye wakatakura chivi chevazhinji, uye akareverera vadariki.
  18841. Isa 54:1 Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka; pururudza nekuimba, uye danidzira, iwe usina kumborwadziwa nemimba; nokuti vana vewakasiiwa vazhinji kune vana vemukadzi wakawanikwa; anoreva Jehovha.
  18842. Isa 54:2 Kurisa nzvimbo yetende rako, uye ngavatatamure maketeni eugaro hwako uzhinji; usarega; rebesa mabote ako, uye usimbise mbambo dzako.
  18843. Isa 54:3 Nokuti uchapararira kuruoko rwerudyi nekuruboshwe; uye mbeu yako ichagara nhaka yevahedheni, vaite maguta ari matongo agarwe.
  18844. Isa 54:4 Usatya, nokuti haunganyadziswi; uye usasvoda, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa nyadzi dzeudiki hwako, uye haungazorangariri kuzvidzwa kweuchirikadzi hwako.
  18845. Isa 54:5 Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; uye Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsraeri; achanzi Mwari wenyika yose.
  18846. Isa 54:6 Nokuti Jehovha wakakudana semukadzi wakasiiwa ane shungu pamweya, uye mukadzi wechidiki paanorambiwa, anoreva Mwari wako.
  18847. Isa 54:7 Kwechinguvana chidiki ndakakusiya, asi nenyasha huru kwazvo ndichakuunganidza.
  18848. Isa 54:8 Nehasha dzinopupuma ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana; asi neunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha, anoreva Jehovha, Mudzikunuri wako.
  18849. Isa 54:9 Nokuti izvi zvakaita semvura zhinji yaNowa kwandiri, pandakapika kuti mvura zhinji yaNowa haingazodarikizve nepanyika; naizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kuti handichazokutsiuri.
  18850. Isa 54:10 Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvizungunuke, asi unyoro hwangu haungabvi kwauri, uye sungano yangu yerugare haingazungunuki, anoreva Jehovha ane nyasha newe.
  18851. Isa 54:11 Iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichaisa mabwe ako ave akanaka, uye ndichateya nheyo dzako nemabwe esafiri.
  18852. Isa 54:12 Ndichaita shongwe dzako ne-agati, nemasuwo ako nemabwe anovaima, nemuganhu wako wose nemabwe anofadza.
  18853. Isa 54:13 Nevana vako vose vachadzidziswa naJehovha, uye ruchava rukuru rugare rwevana vako.
  18854. Isa 54:14 Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nemanikidzo, nokuti haungatyi, uye mukutya, nokuti hakungaswederi kwauri.
  18855. Isa 54:15 Tarirai, vachaungana zvirokwazvo, asi kwete neni. Ani nani uchaungana kurwa newe uchawa nekuda kwako.
  18856. Isa 54:16 Tarira, ini ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto, neanobudisa nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
  18857. Isa 54:17 Hakuna chombo chipi nechipi chakagadzirirwa iwe chichabudirira; uye rurimi rumwe nerumwe rwunokukwirira pakutongwa ucharupa mhosva. Iyi inhaka yevaranda vaJehovha, nekururama kwavo kunobva kwandiri, anoreva Jehovha.
  18858. Isa 55:1 Nhai, imwi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; neasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai, mutenge pasina mari, uye pasina mutengo, waini nemukaka.
  18859. Isa 55:2 Sei muchiripira mari pane zvisiri zvekudya, nekushingaira kwenyu pane zvisingagutsi? Teererai kwazvo kwandiri, mugodya zvakanaka, uye mweya weupenyu wenyu ngauzvifadze nezvakakora.
  18860. Isa 55:3 Rerekai nzeve yenyu, mugouya kwandiri; inzwai, mweya weupenyu wenyu ugorarama. Zvino ndichaita sungano isingaperi nemwi, nyasha zhinji dzechokwadi dzaDhavhidhi.
  18861. Isa 55:4 Tarira, ndakamupa ave chapupu kuvanhu, mutungamiriri nemurairi kuvanhu.
  18862. Isa 55:5 Tarira, uchadana rudzi rwausingazivi, uye rudzi rwaiva rusingakuzivi ruchamhanyira kwauri, nekuda kwaJehovha Mwari wako, nekweMutsvene waIsraeri; nokuti wakakurumbidza.
  18863. Isa 55:6 Tsvakai Jehovha achiri kuwanikwa; mudanei achiri pedo.
  18864. Isa 55:7 Wakaipa ngaasiye nzira yake, nemunhu asakarurama ndangariro dzake; uye ngaadzokere kuna Jehovha; zvino iye achamunzwira tsitsi; nekuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.
  18865. Isa 55:8 Nokuti ndangariro dzangu hadzisi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzisi nzira dzangu, anoreva Jehovha.
  18866. Isa 55:9 Nokuti matenga akakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
  18867. Isa 55:10 Nokuti mvura sezvainoburuka, nemagada echando kubva kumatenga, uye zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nekuitungisa maruva, kuti ipe mbeu kumudzvari, uye zvekudya kumudyi,
  18868. Isa 55:11 richadaro shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina chinhu; asi richaita zvandinoda, richibudirira pane zvandakaritumira.
  18869. Isa 55:12 Nokuti muchabuda nemufaro, nekutungamirirwa nerugare; makomo nezvikomo zvichamukira mukuimba pamberi penyu; uye miti yose yesango ichaombera maoko.
  18870. Isa 55:13 Pachinzvimbo chemunzwa pachamera mufiri, uye pachinzvimbo cherukato pachamera mumirite; zvino zvichava kuna Jehovha zita, chive chiratidzo chisingaperi, chisingazogurwi.
  18871. Isa 56:1 Anoreva seizvi Jehovha: Chengetai mutongo, uye itai kururamisa, nokuti ruponeso rwangu rwava pedo kuuya, uye kururama kwangu kuti kuratidzwe.
  18872. Isa 56:2 Wakaropafadzwa munhu anoita izvi, nemwanakomana wemunhu anozvibatisisa; anochengeta sabata kubva pakurisvibisa, nekuchengeta ruoko rwake kubva pakuita chipi nechipi chakaipa.
  18873. Isa 56:3 Zvino asataura mwanakomana wemutorwa wakazvibatanidza kuna Jehovha, achiti: Jehovha wakandiparadzanisa kwazvo nevanhu vake; nemutenwa asati: Tarirai, ndiri muti wakaoma.
  18874. Isa 56:4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kuvatenwa vanochengeta masabata angu, nekusarudza zvinondifadza, nekubatirira pasungano yangu:
  18875. Isa 56:5 Ndichavapawo mumba mangu nemukati memasvingo angu nzvimbo nezita riri nani kune revanakomana nerevanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazogurwi.
  18876. Isa 56:6 Nevanakomana vemutorwa vanozvisanganisa naJehovha, kumushumira, nekuda zita raJehovha, kuti vave varanda vake, umwe neumwe anochengeta sabata kubva pakurisvibisa, nekubatirira pasungano yangu;
  18877. Isa 56:7 neavo ndichavauisa pagomo rangu dzvene, ndivafadze muimba yangu yemunyengetero. Zvipo zvavo zvinopiswa nezvibairo zvavo zvichagamuchirwa pamusoro pearitari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yemunyengetero yemarudzi ose.
  18878. Isa 56:8 Ishe Jehovha anounganidza vakadzingwa vaIsraeri, anoti: Ndichavaunganidzazve vamwe kwaari, kunze kwevakaunganidzwa vake.
  18879. Isa 56:9 Imwi mose zvikara zvesango, uyai kuzodya, imwi mose zvikara zviri mudondo.
  18880. Isa 56:10 Nharirire dzake mapofu, vose havana ruzivo; vose imbwa mbeveve, havagoni kuhukura, vachirara, vachizvambarara, vachida kutsumwaira.
  18881. Isa 56:11 Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingazivi kuguta; hongu, vafudzi vasingazivi kunzwisisa; vose vakatsaukira kunzira yavo, umwe neumwe kufuma yake, kubva kumugumo wake.
  18882. Isa 56:12 Vanoti: Uyai, ndichatora waini, uye tichazvigutisa nezvinwiwa zvinodhaka, uye mangwana achava sanhasi, akanyaya kukurisa.
  18883. Isa 57:1 Wakarurama anoparara, zvino hakuna munhu anozviisa pamoyo; uye vanhu vane tsitsi vanobviswa, pasina anorangarira kuti wakarurama anobviswa kubva pane zvakaipa.
  18884. Isa 57:2 Achapinda murugare, vachazorora pamibhedha yavo, umwe neumwe achifamba pauchokwadi hwake.
  18885. Isa 57:3 Asi swederai pano, imwi vanakomana vemukadzi muroyi, chibereko chemhombwe, nemukadzi chifeve.
  18886. Isa 57:4 Munotambira ani? Munoshamisira ani muromo, muchibudisa rurimi? Hamusi vana vekudarika, chibereko chenhema here?
  18887. Isa 57:5 Munozvipfutidza pakati pemiouki, pasi pemuti umwe neumwe mutema, muchiuraya vana mumipata, pasi pemikaha yemabwe.
  18888. Isa 57:6 Mugove wako uri pakati pemabwe anotedza erwizi, iwo, iwo achava mujenya wako, uye kwaari wakadurura chipo chechinwiwa, wakapa nechipo chechidyiwa. Ndichazvidemba pane izvi here?
  18889. Isa 57:7 Pamusoro pegomo rakareba uye rakakwirira wakaisa nhovo yako, wakakwirawo ipapo kubaira chibairo.
  18890. Isa 57:8 Zvino shure kwegonhi nemagwatidziro makaisa chirangaridzo chenyu; nokuti makazviratidza kune umwe kupfuura ini, uye makakwira; makakurisa mubhedha wenyu, mukazviitira sungano navo; wakada mubhedha wavo pawakamuona.
  18891. Isa 57:9 Zvino wakaenda kuna mambo nemafuta, uye wakawanza zvinonhuhwira zvako, ndokutuma nhume dzako kure, zvino ukazvidukupisa mugehena.
  18892. Isa 57:10 Wakaneta muukuru hwenzira yako, asi hauna kuti: Hakuna tariro. Wakawana upenyu hweruoko rwako; naizvozvo hauna kupera simba.
  18893. Isa 57:11 Zvino wakatya ani ukavhunduswa, kuti utaure nhema usingandirangariri, usina kuzviisa mumoyo mako? Handina kunyarara here, zvirokwazvo kwenguva refu, asi hauna kunditya?
  18894. Isa 57:12 Ini ndichaparidza kururama kwako, nemabasa ako, kuti hazvingakubatsiri.
  18895. Isa 57:13 Kana uchichema, zvaunga zvako ngazvikununure, asi mhepo ichavapeperesa vose, kushaya maturo kuchavatora; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
  18896. Isa 57:14 Zvino achati: Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yevanhu vangu.
  18897. Isa 57:15 Nokuti anoreva seizvi ari pamusoro neakakwirira, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Mutsvene: Ndinogara pakakwirira nepatsvene, uye pamwe naye ane mweya wakapwanyika uye wakazvininipisa, kuvandudza mweya wevakazvininipisa, nekuvandudza moyo wevakapwanyika.
  18898. Isa 57:16 Nokuti handingapikisi nekusingaperi, uye handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yeupenyu ini yandakaita.
  18899. Isa 57:17 Nekuda kwekuipa kwekuchiva kwake ndakatsamwa, ndikamurova, ndikazvivanza, ndakatsamwa, asi wakaenderera achitsauka nenzira yemoyo wake.
  18900. Isa 57:18 Ndaona nzira dzake, uye ndichamuporesa, ndichamutungamirirawo, nekudzosa nyaradzo kwaari nekuvachemi vake.
  18901. Isa 57:19 Ndinosika chibereko chemiromo; rugare, rugare kune ari kure nekune ari pedo, anoreva Jehovha, zvino ndichamuporesa.
  18902. Isa 57:20 Asi vakaipa vakaita segungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, uye mvura yaro zhinji inobudisa matope nemarara.
  18903. Isa 57:21 Hakuna rugare, anoreva Mwari wangu, kune vakaipa.
  18904. Isa 58:1 Danidzira nehuro, usarega, simudza inzwi rako sehwamanda, uye taridza vanhu vangu chitadzo chavo, neimba yaJakove zvivi zvavo.
  18905. Isa 58:2 Zvakadaro vanonditsvaka zuva nezuva, uye vanoshuva ruzivo rwenzira dzangu, serudzi rwakaita kururama, uye rwusina kusiya mutongo waMwari warwo, vanondibvunza mitongo yekururama, vanoshuva kuswedera kuna Mwari.
  18906. Isa 58:3 Vanoti: Takatsanyirei, zvino imwi mukasazviona? Sei takatambudza mweya weupenyu wedu, imwi mukasazviziva? Tarirai, pazuva rekutsanya kwenyu makawana mufaro, uye makamanikidza vabati venyu vose.
  18907. Isa 58:4 Tarirai, munotsanya kuti mupokane nekukakavadzana, nekurova netsiva yezvakaipa; musatsanya sanhasi, kuita kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro.
  18908. Isa 58:5 Kutsanya kwandakasarudza kwakadaro here? Izuva rekuti munhu atambudze mweya weupenyu wake here? Kuti akotamise musoro wake serutsanga, nekuwarira masaga nemadota pasi pake here? Izvi ungazviti ndiko kutsanya uye zuva remufaro kuna Jehovha here?
  18909. Isa 58:6 Hakusi iko uku kutsanya kwandakasarudza here? Kusunungura mabote ezvakaipa, kusunungura makashu ejoko, kurega vakamanikidzwa vaende vakasununguka, uye kuti muvhune joko rimwe nerimwe here?
  18910. Isa 58:7 Hakusi iko kugovera ane nzara chingwa chako, nekupinza varombo vadzungairi mumba, paunoona wakashama ndokumufukidza, uye usazvivanza panyama yako here?
  18911. Isa 58:8 Ipapo chiedza chako chichadhuuka semambakwedza, uye kupora kwako kuchabukira nekukurumidza, zvino kururama kwako kuchafamba pamberi pako, kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.
  18912. Isa 58:9 Ipapo uchadana, uye Jehovha achapindura; uchachema, zvino iye achati: Tarira, ndiri pano. Kana uchibvisa pakati pako joko, kutendeka nemunwe, nekutaura zvakaipa,
  18913. Isa 58:10 kana ukabudisira mweya weupenyu wako kune ane nzara, ukagutsa mweya weupenyu unotambudzika, ipapo chiedza chako chichabuda makasviba, nerima rako rive semasikati makuru.
  18914. Isa 58:11 Zvino Jehovha achakutungamirira rinhi narinhi, uye achagutisa mweya weupenyu wako munzvimbo dzakatsva, nekusimbisa mapfupa ako. Zvino uchava sebindu rakadiridzwa, uye sechitubu chemvura, mvura yacho isingaperi.
  18915. Isa 58:12 Uye vanhu vako vachavaka matongo ekare; uchamutsa nheyo dzemazera nemazera; uye uchanzi: Mushosheri wepakakoromoka, muvandudzi wenzira dzekugara.
  18916. Isa 58:13 Kana uchidzora rutsoka rwako kubva pasabata, kuita mufaro wako pazuva rangu dzvene, uchidana sabata kuti mafaro, dzvene raJehovha, rinoremekedzwa, uye uchariremekedza, usingaiti nzira dzako, usingawani mufaro wako, kana kutaura shoko;
  18917. Isa 58:14 ipapo uchazvifadza muna Jehovha; uye ndichakutasvisa pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzenyika, nekukudyisa nhaka yaJakove baba vako; nokuti muromo waJehovha wataura.
  18918. Isa 59:1 Tarirai, ruoko rwaJehovha harwuna kupfupiswa, kuti rwurege kuponesa; uye nzeve yake haina kuremerwa, kuti irege kunzwa.
  18919. Isa 59:2 Asi zvakaipa zvenyu zvakaparadzanisa pakati penyu naMwari wenyu, uye zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake kuti arege kunzwa.
  18920. Isa 59:3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakataura nhema, rurimi rwenyu rwakagunun’una zvakashata.
  18921. Isa 59:4 Hakuna anodanidzira nekururama, uye hakuna anoreverera nechokwadi; vanovimba nezvisina maturo uye vanoreva nhema; vanobata pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
  18922. Isa 59:5 Vanochochonya mazai emvumbi, nekuruka dandira redandemutande; anodya zvemazai aro achafa; nerinopwanyika rinobudisa nyoka ine uturu.
  18923. Isa 59:6 Matandira avo haangavi nguvo, uye havangazvifukidzi nemabasa avo. Mabasa avo mabasa ezvakaipa, uye kuita nechisimba kuri pamaoko avo.
  18924. Isa 59:7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kune zvakaipa, uye vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nekuputsanya zviri panzira dzavo.
  18925. Isa 59:8 Nzira yerugare havaizivi; uye hapana mutongo pamakwara avo; vakazviminamisira nzira dzavo; ani nani anofamba maari haangazivi rugare.
  18926. Isa 59:9 Naizvozvo mutongo uri kure nesu, uye kururama hakungasvikiri kwatiri; tinorindira chiedza, asi tarirai, rima; tinorindira kubwinya kukuru, asi tinofamba parima guru.
  18927. Isa 59:10 Tinotsvangadzira pamadziro semapofu; hongu tinotsvangadzira sepasina meso; tinogumburwa masikati makuru sezvinonzi kosviba; tiri panzvimbo dzakaparara sevakafa.
  18928. Isa 59:11 Tinoomba tose semabheya, nekuchema zvikuru senjiva; tinorindira mutongo, asi hakuna; ruponeso, asi rwuri kure nesu.
  18929. Isa 59:12 Nokuti zvitadzo zvedu zvakawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti zvitadzo zvedu zvinesu, uye tinoziva zvakaipa zvedu;
  18930. Isa 59:13 kudarikira, nekuramba Jehovha, nekubva pakutevera Mwari wedu, kutaura manikidzo nekumukira, kubata pamuviri nekutaura mashoko enhema anobva pamoyo.
  18931. Isa 59:14 Zvino mutongo unodzoserwa shure, uye kururamisira kunomira kure, nokuti chokwadi chawira pasi panzira yemumusha, uye kutendeka hakugoni kupinda.
  18932. Isa 59:15 Hongu, chokwadi chinoshaikwa, uye anoparadzana nechakaipa anozviita chakapambiwa. Uye Jehovha wakaona, zvino zvakava zvakaipa pameso ake kuti hakuna mutongo.
  18933. Isa 59:16 Zvino wakaona kuti kwaiva kusina munhu, wakashamiswa zvikuru kuti kwaiva kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakauya neruponeso kwaari, uye kururama kwake ndiko kwakamutsigira.
  18934. Isa 59:17 Nokuti wakapfeka kururama senguvo yeutare, nengowani yeruponeso pamusoro wake, uye akapfeka nguvo dzetsivo sechipfeko, wakazvifukidza kushingaira sejazi.
  18935. Isa 59:18 Zvichienderana nezviito, saizvozvo acharipira, hasha kune vadzivisi vake, tsivo kuvavengi vake; kuzviwi acharipira tsivo.
  18936. Isa 59:19 Saizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, neukuru hwake kubva kumabudazuva; muvengi paachapinda sefashame, mweya waJehovha uchamusimudzira chiratidzo.
  18937. Isa 59:20 Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nekune vanodzoka pakudarika pakati paJakove, anoreva Jehovha.
  18938. Isa 59:21 Kana ndirini, iyi isungano yangu navo, anoreva Jehovha: Mweya wangu uri pamusoro pako, nemashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumuromo wembeu yako, kana mumuromo wembeu yembeu yako, anoreva Jehovha, kubva zvino kusvika rinhi narinhi.
  18939. Isa 60:1 Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, nekubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
  18940. Isa 60:2 Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru vanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, uye kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.
  18941. Isa 60:3 Zvino vahedheni vachauya kuchiedza chako, nemadzimambo kukubwinya kwekubuda kwako.
  18942. Isa 60:4 Simudzira meso ako kumativi ose, uone, vose vanoungana pamwe, vanouya kwauri; vanakomana vako vachauya kubva kure, uye vakunda vako vacharerwa parutivi.
  18943. Isa 60:5 Ipapo uchaona, uye uchapenya, uye moyo wako uchadedera, uye uchakuriswa, nokuti kuwanda kwegungwa kuchashandurwa kwauri, varwi vemarudzi vachauya kwauri.
  18944. Isa 60:6 Uwandu hwemakamera huchakufukidza, mhuru dzemakamera eMidhiyani neEfa; ose anobva Shebha achauya, achaunza goridhe nezvinonhuhwira, achaparidza rumbidzo huru yaJehovha.
  18945. Isa 60:7 Makwai ose eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondohwe eNebhayoti achakushumira; achauya nekugamuchirika pamusoro pearitari yangu, uye ndicharumbidza imba yekukudzwa kwangu.
  18946. Isa 60:8 Ndivana ani ava vanobhururuka segore, uye senjiva dzinouya kumahwindo adzo?
  18947. Isa 60:9 Zvirokwazvo zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi pakutanga, kuunza vanakomana vako kubva kure, sirivha yavo negoridhe ravo pamwe navo, kuzita raJehovha Mwari wako, nekuMutsvene waIsraeri, nokuti wakakukudza.
  18948. Isa 60:10 Zvino vanakomana vevatorwa vachavaka masvingo ako, uye madzimambo avo achakushumira; nokuti mukutsamwa kwangu ndakakurova, asi munyasha dzangu ndakakunzwira tsitsi.
  18949. Isa 60:11 Zvino masuwo ako achagara akazaruka; haangapfigwi siku nesikati; kuti vakuvigire fuma yemarudzi, uye madzimambo avo aunzwe.
  18950. Isa 60:12 Nokuti rudzi neushe zvisingazokushumiri zvichaparara, hongu, marudzi achava matongo kwazvo.
  18951. Isa 60:13 Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mufiri, mupaini nemusaipuresi pamwe chete, kushongedza nzvimbo yenzvimbo yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
  18952. Isa 60:14 Nevanakomana veavo vanokutambudza vachauya kwauri vachikotama; nevose vaikuzvidza vachazvikotamisira pasi petsoka dzako; uye vachakutumidza kuti: Guta raJehovha, Ziyoni reMutsvene waIsraeri.
  18953. Isa 60:15 Pachinzvimbo chekuti usiiwe nekuvengwa, uye pasina anopfuura nemauri, ndichakuita uve nembiri nekusingaperi, mufaro wezera nezera.
  18954. Isa 60:16 Zvino uchanwa mukaka wemarudzi, uye uchanwa mazamu emadzimambo; uye uchaziva kuti ini Jehovha ndini Muponesi wako, neMudzikunuri wako, Wemasimbaose waJakove.
  18955. Isa 60:17 Panzvimbo yendarira ndichaunza goridhe, nepanzvimbo yedare ndichaunza sirivha, nepanzvimbo yematanda ndarira, nepanzvimbo yemabwe dare. Ndichaita vabati vako vave rugare, nevamanikidzi vako vave kururama.
  18956. Isa 60:18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwi panyika yako, kupamba nekuparadza pakati pemiganhu yako; asi uchadaidza masvingo ako kuti: Ruponeso; nemasuwo ako kuti: Rumbidzo.
  18957. Isa 60:19 Zuva harichazovi chiedza kwauri masikati, nemwedzi haungazokuvhenekeri kuve kupenya; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako ave kunaka kwako.
  18958. Isa 60:20 Zuva rako harichazoviri, nemwedzi wako haungazvibvisi; nokuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva ekuchema kwako achaguma.
  18959. Isa 60:21 Uye vanhu vako vose vachava vakarurama; vachagara nhaka yenyika nekusingaperi, davi rekusima kwangu, basa remaoko angu, kuti ndikudzwe.
  18960. Isa 60:22 Mudiki achava churu, uye wakadukupa ave rudzi rwune simba. Ini Jehovha ndichazvikurumidzisa nenguva yake.
  18961. Isa 61:1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidze mashoko akanaka kuvanyoro; wakandituma kuti ndisunge vane moyo yakaputsika, kuti ndiparidze rusununguko kune vakatapwa, nekuzarurwa kwetirongo kune vakasungwa;
  18962. Isa 61:2 kuparidza gore renyasha dzaJehovha, nezuva retsivo raMwari wedu; kunyaradza vose vanorira;
  18963. Isa 61:3 kugadzira vanorira paZiyoni, kuvapa runako pachinzvimbo chemadota, mafuta emufaro pachinzvimbo chekurira, nguvo yekurumbidza pachinzvimbo chemweya wekuremerwa, kuti vanzi miti yakasimba yekururama, chakasimwa chaJehovha, kuti akudzwe.
  18964. Isa 61:4 Zvino vachavaka matongo ekare; vachasimudza kuparara kwekutanga; uye vachagadzirisa maguta ari matongo, akaparadzwa ezera nezera.
  18965. Isa 61:5 Zvino vatorwa vachamira vafudze mapoka enyu; nevanakomana vevaeni vave varimi venyu nevabati venyu veminda yemizambiringa.
  18966. Isa 61:6 Asi imwi muchanzi vapristi vaJehovha; vachakutii vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yemarudzi, uye muchazvikudza mukubwinya kwawo.
  18967. Isa 61:7 Pachinzvimbo chechinyadzo chenyu muchapamhidzirwa kaviri; pakushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, mufaro usingaperi uve wavo.
  18968. Isa 61:8 Nokuti ini Jehovha ndinoda mutongo; ndinovenga kupamba pachibairo chinopiswa; zvino ndichapa mubairo wavo muchokwadi; uye ndichaita sungano yekusingaperi navo.
  18969. Isa 61:9 Zvino mbeu yavo ichazikanwa pakati pemarudzi, nezvibereko zvavo pakati pevanhu; vose vanovaona vachavaziva kuti imbeu Jehovha yaakaropafadza.
  18970. Isa 61:10 Ndichafara zvekufara muna Jehovha; mweya weupenyu wangu uchava nemufaro muna Mwari wangu; nokuti wakandipfekedza nguvo dzeruponeso, akandifukidza chipfeko chekururama, semuwani anoshonga korona, uye semwenga unozvishongedza neukomba hwake.
  18971. Isa 61:11 Nokuti nyika sezvainobudisa bukira rayo, nebindu sezvarinomeresa zvakadzvarwa zvaro, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nekurumbidzwa pamberi pemarudzi ose.
  18972. Isa 62:1 Nekuda kweZiyoni handinganyarari, uye nekuda kweJerusarema handingazorori, kusvika kururama kwaro kuchibuda sechiedza, neruponeso rwaro semwenje unopfuta.
  18973. Isa 62:2 Zvino marudzi achaona kururama kwako, nemadzimambo ose kubwinya kwako; uye uchadanwa nezita idzva, muromo waJehovha warichatumidza.
  18974. Isa 62:3 Zvino uchava korona yerunako muruoko rwaJehovha, neukomba hweumambo muruoko rwaMwari wako.
  18975. Isa 62:4 Hauchazonzi Musiiwa; nenyika yako haichazonzi Dongo; asi uchanzi Hefizi-Bha, nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anofadzwa newe, nenyika yako ichawanikwa.
  18976. Isa 62:5 Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achakufarira.
  18977. Isa 62:6 Ndakaisa nharirire pamusoro pemasvingo ako, Jerusarema; zuva rose neusiku hwose havangatongonyarari; imwi vayeudziri vezvaJehovha, regai kunyarara.
  18978. Isa 62:7 Uye musamuzorodza, kusvika asimbisa izvozvo, uye kusvika aita Jerusarema rive rumbidzo panyika.
  18979. Isa 62:8 Jehovha wakapika neruoko rwake rwerudyi uye neruoko rwesimba rake, achiti: Zvirokwazvo handichazopi zviyo zvako zvive kudya kwevavengi vako, nevanakomana vemutorwa zvirokwazvo havanganwi waini yako itsva yawakatamburira.
  18980. Isa 62:9 Asi vakazviunganidza vachazvidya, uye vacharumbidza Jehovha; uye vakaibwerengedza vachainwa pazvivanze zveutsvene hwangu.
  18981. Isa 62:10 Pfuurai, pfuurai nemumasuwo, gadzirai nzira yevanhu; simudzai, simudzai mugwagwa mukuru, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.
  18982. Isa 62:11 Tarirai, Jehovha wakanzwikwa kusvika kumugumo wenyika: Iti kumukunda weZiyoni: Tarira, ruponeso rwako rwunouya; tarira, mubairo wake anawo, uye zvaanoripira zviri pamberi pake.
  18983. Isa 62:12 Zvino vachavatumidza kuti: Vanhu Vatsvene, Vakadzikunurwa vaJehovha; newe uchatumidzwa kuti: Mutsvakwa, Guta risina kusiiwa.
  18984. Isa 63:1 Ndiyani uyu anobva Edhomu, ane nguvo dzakatsvuka, anobva Bhozira? Uyu anorumbidzika nezvipfeko zvake, anofamba neukuru hwesimba rake? Ndini ndinotaura nekururama, ndine simba rekuponesa.
  18985. Isa 63:2 Sei zvipfeko zvenyu zvakatsvuka, nenguvo dzenyu seanotsika muchisviniro chewaini?
  18986. Isa 63:3 Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; uye kwaiva kusina munhu aiva neni pavanhu; nokuti ndakavatsika pakutsamwa kwangu, uye ndakavapwanya pakupfuta kwangu, neropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, uye ndakasvibisa zvipfeko zvangu zvose.
  18987. Isa 63:4 Nokuti zuva retsivo riri mumoyo mangu, uye gore revakadzikunurwa vangu rasvika.
  18988. Isa 63:5 Zvino ndakatarisa asi paiva pasina angabatsira, uye ndakashamisika zvikuru kuti paiva pasina angatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakauisa ruponeso kwandiri, zvino kupfuta kwangu ndiko kwakanditsigira.
  18989. Isa 63:6 Zvino ndichatsika vanhu mukutsamwa kwangu, nekuvadhakisa nekupfuta kwangu, nekuburusira pasi simba ravo.
  18990. Isa 63:7 Ndicharangaridza rudo rweunyoro ukuru hwaJehovha, rumbidzo dzaJehovha, zvichienderana nezvose Jehovha zvaakatipa, nekunaka kukuru kuimba yaIsraeri, kwaakavapa zvichienderana nengoni dzake zhinji, uye zvichienderana neuwandu hwerudo rweunyoro ukuru hwake.
  18991. Isa 63:8 Nokuti wakati: Zvirokwazvo ivo vanhu vangu, vana vasingatauri nhema; naizvozvo wakava Muponesi wavo.
  18992. Isa 63:9 Padambudziko ravo rose iye wakatambudzika, uye mutumwa wekuvapo kwake wakavaponesa; murudo rwake nemutsitsi dzake iye wakavadzikinura; zvino wakavasimudza nekuvatakura mazuva ose ekare.
  18993. Isa 63:10 Asi ivo vakapanduka, ndokurwadzisa Mweya wake Mutsvene; naizvozvo wakashanduka kuva muvengi wavo, iye akarwa navo.
  18994. Isa 63:11 Zvino wakarangarira mazuva ekare, Mozisi, vanhu vake. Aripi iye wakavakwidza kubva mugungwa nemufudzi wemakwai weboka rake? Aripi iye wakaisa Mweya wake Mutsvene mukati make?
  18995. Isa 63:12 Wakatungamirira neruoko rwerudyi rwaMozisi neruoko rwake rwunobwinya; achiparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviitire zita rekusingaperi?
  18996. Isa 63:13 Wakavatungamirira nemuudziku ukuru? Sebhiza murenje, havana kugumburwa.
  18997. Isa 63:14 Semombe inoburukira mumupata, Mweya waJehovha wakamuzorodza. Saizvozvo makatungamirira vanhu venyu, kuti muzviitire zita rine mukurumbira.
  18998. Isa 63:15 Tarirai pasi muri kumatenga, zvino muone kubva paugaro hweutsvene hwenyu uye hwekubwinya kwenyu. Kuripi kushingaira kwenyu, nemasimba enyu, kurira kweura hwenyu, nengoni dzenyu zhinji kwandiri, zvinozvidzora here?
  18999. Isa 63:16 Zvirokwazvo imwi muri baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi, naIsraeri asingatibvumi; imwi Jehovha muri baba vedu, mudzikunuri wedu; zita renyu ririko nekusingaperi.
  19000. Isa 63:17 Jehovha, sei muchiita titsauke kubva panzira dzenyu, muchiomesa moyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nekuda kwevaranda venyu, marudzi enhaka yenyu.
  19001. Isa 63:18 Vanhu veutsvene hwenyu vakava nayo kwechinguvana; vavengi vedu vakatsika-tsika imba yenyu tsvene.
  19002. Isa 63:19 Tiri venyu; hamuna kumbotonga pamusoro pavo, havana kumbodanwa nezita renyu.
  19003. Isa 64:1 Dai maibvarura matenga, maiburuka pasi, makomo ayerere pakuvapo kwenyu,
  19004. Isa 64:2 sekupisa kwemoto unonyungudusa, moto unovidza mvura, kuzivisa zita renyu kuvadzivisi venyu, marudzi adedere pakuvapo kwenyu!
  19005. Isa 64:3 Pamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatisina kutarisira, imwi makaburuka pasi, makomo akayerera pakuvapo kwenyu.
  19006. Isa 64:4 Nokuti kubva kare havana kunzwa, havana kunzwisisa nenzeve, ziso harina kuona, Mwari, kunze kwenyu, anobatira vanomumirira.
  19007. Isa 64:5 Munochingamidza anofara neanoita kururama, anokurangarirai munzira dzenyu. Tarirai imwi makatsamwa, nokuti takatadza; mune ava mune kuenderera mberi, zvino tichaponeswa.
  19008. Isa 64:6 Asi tose takaita sewakasviba; uye kururama kwedu kose semucheka wemukadzi ari kumwedzi; uye tose tinobvuruvara seshizha; uye zvakaipa zvedu, semhepo, zvakatipeperesa.
  19009. Isa 64:7 Zvino hakuna anodana nezita renyu, anozvimutsira kubatirira kwamuri; nokuti makativanzira chiso chenyu, uye makatinyausa nekuda kwezvakaipa zvedu.
  19010. Isa 64:8 Asi ikozvino, Jehovha, imwi muri baba vedu; isu tiri ivhu, uye imwi muri muumbi wedu, uye tose tiri basa reruoko rwenyu.
  19011. Isa 64:9 Regai kutsamwa zvikurusa, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa nekusingaperi; tarirai, doonai, tose tiri vanhu venyu.
  19012. Isa 64:10 Maguta enyu matsvene ava renje, Ziyoni rava renje, Jerusarema idongo.
  19013. Isa 64:11 Imba yedu tsvene uye yedu yakanakisa, madzibaba edu maaikurumbidzai, yapiswa nemoto; nezvinhu zvedu zvose zvinofadza zvava dongo.
  19014. Isa 64:12 Muchazvidzora here nekuda kwezvinhu izvi, Jehovha? Muchanyarara, matitambudza kupfuurisa here?
  19015. Isa 65:1 Ndakatsvakwa nevasina kundibvunza; ndakawanikwa nevasina kunditsvaka; ndakati: Nditarirei, nditarirei; kurudzi rwusina kudanwa nezita rangu.
  19016. Isa 65:2 Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vanopanduka, vanofamba nenzira isina kunaka, vachitevera ndangariro dzavo;
  19017. Isa 65:3 vanhu vanogara vachinditsamwisa pachiso changu, vanoita zvibairo mumabindu, uye vanopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pezvitinha;
  19018. Isa 65:4 vanogara pakati pemakuva, uye vanorara panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza mumidziyo yavo.
  19019. Isa 65:5 Vanoti: Iva pedo newe, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.
  19020. Isa 65:6 Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu: Handinganyarari, asi ndichatsiva, zvirokwazvo ndichatsiva pachipfuva chavo,
  19021. Isa 65:7 zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvemadzibaba enyu pamwe chete, anoreva Jehovha, vakapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pemakomo, nekundinyomba pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichayera basa ravo rekutanga pachipfuva chavo.
  19022. Isa 65:8 Anoreva seizvi Jehovha: Waini itsva sezvainowaikwa musumbu remazambiringa, umwe akati: Usariparadza, nokuti ropafadzo iri mariri; ndichaita saizvozvo nekuda kwevaranda vangu, kuti ndisavaparadza vose.
  19023. Isa 65:9 Zvino ndichabudisa mbeu kubva muna Jakove, uye kubva muna Judha mugari wenhaka yemakomo angu; zvino vasanangurwa vangu vachaagara nhaka, uye varanda vangu vachagaramo.
  19024. Isa 65:10 Zvino Sharoni richava danga remapoka, nemupata weAkori nzvimbo yekurara mombe pasi, yevanhu vangu vakanditsvaka.
  19025. Isa 65:11 Asi imwi munosiya Jehovha, munokanganwa gomo rangu dzvene, munogadzirira Rombo Rakanaka tafura, nekuzadzira Mugumo waini yakavhenganiswa.
  19026. Isa 65:12 Naizvozvo ndichakuverengerai kumunondo, uye mose muchakotamira kubayiwa; nokuti pandakadana hamuna kupindura; pandakataura hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pameso pangu, mukasarudza zvandisina kufadzwa nazvo.
  19027. Isa 65:13 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imwi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imwi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imwi muchanyadziswa;
  19028. Isa 65:14 tarirai, varanda vangu vachaimba nemufaro wemoyo, asi imwi muchachema nekurwadziwa kwemoyo, muchaungudza nekuputsika kwemweya.
  19029. Isa 65:15 Zvino muchasiya zita renyu rive chakatukwa kuvasanangurwa vangu; nokuti Ishe Jehovha achakuurayai, asi achadaidza varanda vake nerimwe zita;
  19030. Isa 65:16 kuti iye anozviropafadza panyika, achazviropafadza kuna Mwari wechokwadi; neanopika panyika achapika naMwari wechokwadi; nokuti matambudziko ekutanga akanganikwa, uye nokuti akavanzika pameso angu.
  19031. Isa 65:17 Nokuti tarirai, ndinosika matenga matsva nenyika itsva; uye zvinhu zvekutanga hazvingarangarirwi, uye hazvingapindi mumoyo.
  19032. Isa 65:18 Asi farai mufarisise nekusingaperi sezvandinosika, nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema kuva mufaro, nevanhu varo kuva mufaro.
  19033. Isa 65:19 Zvino ndichafara muJerusarema, nekuva nemufaro nevanhu vangu; uye inzwi rekuungudza harichazonzwikwi mariri kana inzwi rekuchema.
  19034. Isa 65:20 Kubva ipapo hapangazovi nemucheche wemazuva mashoma, kana mutana asina kuzadzisa mazuva ake; nokuti mwana achafa ava nemakore zana, asi mutadzi ane makore zana achatukwa.
  19035. Isa 65:21 Zvino vachavaka dzimba ndokugara; uye vachadzvara minda yemizambiringa ndokudya michero yayo.
  19036. Isa 65:22 Havangavaki umwe ndokugara, havangadzvari umwe ndokudya, nokuti semazuva emuti, akadaro mazuva evanhu vangu. Zvino vasanangurwa vangu vachanakirwa nebasa remaoko avo nguva refu.
  19037. Isa 65:23 Havangashingairiri pasina, uye havangaberekeri dambudziko, nokuti ivo imbeu yevaropafadzwa vaJehovha, nezvibereko zvavo pamwe navo.
  19038. Isa 65:24 Zvino zvichaitika vasati vadana kuti ini ndichapindura; vachiri kutaura ini ndichanzwa.
  19039. Isa 65:25 Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvekudya zvenyoka. Hazvingakuvadzi uye hazvingaparadzi mugomo rangu dzvene rose; anoreva Jehovha.
  19040. Isa 66:1 Anoreva seizvi Jehovha: Matenga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu. Iripi imba yamuchandivakira? Uye iripi nzvimbo yangu yekuzorora?
  19041. Isa 66:2 Nokuti zvose izvi maoko angu akazviita, uye zvose zvinhu izvi zviripo, anoreva Jehovha. Asi kune uyu ndichatarira, kune murombo, newemweya wakaputsika, neanodedera pashoko rangu.
  19042. Isa 66:3 Anouraya nzombe anorova munhu; anobaira gwayana anovhuna mutsipa wembwa; anopa chipo cheupfu anopa ropa renguruve; anopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira anoropafadza chifananidzo. Zvirokwazvo ivo vakasarudza nzira dzavo, uye mweya weupenyu wavo unofara muzvinyangadzo zvavo.
  19043. Isa 66:4 Iniwo ndichasarudza zvinotambudza zvavo, uye ndichauyisa zvityiso zvavo pamusoro pavo, nokuti pandakadana hapana wakapindura, pandakataura havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pemeso angu, ndokusarudza zvandisina kufarira.
  19044. Isa 66:5 Inzwai shoko raJehovha, imwi munodedera neshoko rake: Hama dzenyu dzinokuvengai dzakakudzingai nekuda kwezita rangu, dzakati: Jehovha ngaarumbidzwe. Asi tichaona pamufaro wenyu, asi ivo vachanyadziswa.
  19045. Isa 66:6 Inzwi remhere-mhere rinobva muguta, inzwi rinobva mutembere, inzwi raJehovha rinodzosera tsivo kuvavengi vake.
  19046. Isa 66:7 Asati arwadziwa nemimba wakapona; marwadzo ake asati asvika wakabereka mwana mukomana.
  19047. Isa 66:8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekeswa nezuva rimwe here? Rudzi rwungazvarwe pakarepo here? Nokuti Ziyoni parangorwadziwa, rabereka vana varo.
  19048. Isa 66:9 Ini ndichaswededza pakubereka ndikasaberekesa here? anoreva Jehovha. Ini ndichaberekesa ndokudzivira chibereko here? anoreva Mwari wako.
  19049. Isa 66:10 Farai pamwe neJerusarema, mufarise naro, imwi mose munorida; pemberai nemufaro naro, imwi mose munorichema;
  19050. Isa 66:11 kuti muyamwe, mugute nemazamu enyaradzo yaro; kuti muyamwe kwazvo muzvifadze nekuwanda kwembiri yaro.
  19051. Isa 66:12 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichatambanudzira rugare kwariri serwizi, nembiri yemarudzi serukova rwunoyerera; ipapo muchayamwa, muchatakurwa parutivi, nekuvaraidzwa pamabvi.
  19052. Isa 66:13 Seuyo mai vake vaanonyaradza, saizvozvo ndichakunyaradzai, zvino muchanyaradzwa muJerusarema.
  19053. Isa 66:14 Pamuchaona, moyo wenyu uchafara, uye mapfupa enyu achabuka sebundo; neruoko rwaJehovha rwuchazikanwa kuvaranda vake, uye achatsamwira vavengi vake.
  19054. Isa 66:15 Nokuti tarirai, Jehovha achauya nemoto, nengoro dzake sechamupupuri; kuti adzosere kutsamwa kwake nekupfuta, nekutsiura kwake nemirazvo yemoto.
  19055. Isa 66:16 Nokuti nemoto uye nemunondo wake Jehovha achapinda pamutongo nenyama yose; uye vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.
  19056. Isa 66:17 Zvino vanozviita vatsvene nevanozvichenura mumabindu seri kwemuti umwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinyangadzo, nembeva, vachapedzwa pamwe chete, anoreva Jehovha.
  19057. Isa 66:18 Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; kusvika pakuti ndichaunganidza marudzi ose nendimi dzose, zvino vachauya ndokuona kubwinya kwangu.
  19058. Isa 66:19 Uye ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatuma vakapukunyuka vavo kumarudzi; kuTarishishi, Puri, neRudhi, vanohwembura uta, kuTubhari, neJavhani, kuzviwi zviri kure zvisina kunzwa mbiri yangu, uye zvisina kuona kubwinya kwangu; uye vachazivisa kubwinya kwangu pakati pemarudzi.
  19059. Isa 66:20 Zvino vachauisa hama dzenyu dzose kuva chipo kuna Jehovha kubva kumarudzi ose, vari pamusoro pemabhiza, nemudzingoro, nemudzingoro dzine matenga, uye vari pamusoro pemahesera, nepamusoro pemhuka dzinomhanya, kuuya kugomo rangu dzvene Jerusarema, anoreva Jehovha, sevana vaIsraeri vachiuisa chipo mudziyo wakachena muimba yaJehovha.
  19060. Isa 66:21 Zvino ndichatorawo pavari vave vapristi, vave vaRevhi, anoreva Jehovha.
  19061. Isa 66:22 Nokuti sematenga matsva nenyika itsva, zvandichaita, zvichagara zviripo pamberi pangu, anoreva Jehovha, saizvozvo mbeu yako nezita rako zvichagara zviripo.
  19062. Isa 66:23 Zvino zvichava kubva pamwedzi kusvika pamwedzi waro, uye kubva paSabata kusvika paSabata raro, nyama yose ichauya kuzvifugamisa pamberi pangu, anoreva Jehovha.
  19063. Isa 66:24 Zvino vachabuda, ndokuona zvitunha zvevanhu vakanditadzira; nokuti honye yavo haingafi, nemoto wavo haungadzimwi; uye vachava chisemeso kunyama yose
  19064. Jer 1:1 Mashoko aJeremiya, mwanakomana waHirikiya wevapristi vaiva paAnatoti panyika yaBhenjamini.
  19065. Jer 1:2 Kwaari kwakasvika shoko raJehovha pamazuva aJosiya mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, mugore regumi nematatu rekutonga kwake.
  19066. Jer 1:3 Rakasvikawo mumazuva aJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvika pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvika pakutapwa kweJerusarema mumwedzi wechishanu.
  19067. Jer 1:4 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti:
  19068. Jer 1:5 Ndisati ndakuumba mudumbu ndakakuziva, uye usati wabuda muchizvaro ndakakusanangura; ndakakugadza kuva muporofita kumarudzi.
  19069. Jer 1:6 Zvino ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha, tarirai, handizivi kutaura, nokuti ndiri mwana.
  19070. Jer 1:7 Asi Jehovha wakati kwandiri: Usati: Ndiri mwana; nokuti uchaenda kuna ani nani wandichakutuma, nechipi nechipi chandichakuraira uchataura.
  19071. Jer 1:8 Usatya nekuda kwezviso zvavo, nokuti ndinewe kuti ndikununure, anoreva Jehovha.
  19072. Jer 1:9 Zvino Jehovha wakatandavadza ruoko rwake, ndokubata muromo wangu; Jehovha ndokuti kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
  19073. Jer 1:10 Ona, ndakugadza nhasi pamusoro pemarudzi, nepamusoro peushe uzhinji, kuudzura, nekukoromora, nekuparadza, nekuwisira pasi, kuvaka, nekudzvara.
  19074. Jer 1:11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: Jeremiya, unoonei? Ndikati: Ndinoona davi remuarimondi.
  19075. Jer 1:12 Ipapo Jehovha akati kwandiri: Waona zvakanaka; nokuti ndinorinda shoko rangu kuti ndiriite.
  19076. Jer 1:13 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri rwechipiri, richiti: Unoonei? Ndikati: Ndinoona gate rinovira, uye chiso charo chiri kumaodzanyemba.
  19077. Jer 1:14 Ipapo Jehovha wakati kwandiri: Chakaipa chichazarurirwa kubva kumaodzanyemba pavagari vose vepanyika.
  19078. Jer 1:15 Nokuti tarira, ndichadana mhuri dzose dzeushe uzhinji hwekumaodzanyemba, anoreva Jehovha, uye dzichasvika, dzigogadza umwe neumwe chigaro chake cheushe pakupinda pamasuwo eJerusarema, nekurwisana nemasvingo aro kumativi ose, nekurwisana nemaguta ose ekwaJudha.
  19079. Jer 1:16 Uye ndichareva mitongo yangu pamusoro pavo pane zvakaipa zvavo zvose, zvavakandisiira, vakapisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira, vakashumira mabasa emaoko avo.
  19080. Jer 1:17 Zvino iwe, zvisunge chiuno chako, usimuke, utaure kwavari zvose zvandakakuraira; usavhunduswa nekuda kwezviso zvavo, zvimwe ndikuvhunduse pamberi pavo.
  19081. Jer 1:18 Nokuti tarira, ini ndakuita nhasi uve guta rakachengetedzeka, uye uve mbiru yedare, uye uve masvingo endarira, kurwisa nyika yose, kurwisa madzimambo aJudha, kurwisa machinda awo, kurwisa vapristi vavo, nekurwisa vanhu vepanyika.
  19082. Jer 1:19 Zvino vachakurwisa asi havangakukundi, nokuti ndinewe, anoreva Jehovha, kukununura.
  19083. Jer 2:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  19084. Jer 2:2 Enda, undodanidzira munzeve dzeJerusarema uchiti: Anoreva seizvi Jehovha: Ndinokurangarira, unyoro hweudiki hwako, rudo rwepakuwanikwa kwako, pawainditevera murenje, munyika isina kudzvarwa.
  19085. Jer 2:3 Israeri waiva utsvene kuna Jehovha, zvibereko zvekutanga zvegoho rake; vose vanomudya vachava nemhosva; chakaipa chichavawira, anoreva Jehovha.
  19086. Jer 2:4 Inzwai shoko raJehovha, imba yaJakove, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri.
  19087. Jer 2:5 Anoreva seizvi Jehovha: Uipi rudzii madzibaba enyu hwaakawana mandiri, kuti vaende kure neni, nekufamba vachitevera zvisina maturo, uye vakava vasina maturo?
  19088. Jer 2:6 Uye havana kuti: Aripi Jehovha wakatikwidza kubva panyika yeEgipita, wakatitungamirira murenje, munyika yemagwenga nemakomba, munyika yakaoma neyemumvuri werufu, munyika munhu yaasina kumbopfuura namo, uye munhu maasina kumbogara?
  19089. Jer 2:7 Zvino ndakakuuisai munyika yezvibereko, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi pamakapinda makasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu ive chinyangadzo.
  19090. Jer 2:8 Vapristi havana kuti: Aripi Jehovha? Nevaibata murairo havana kundiziva; vafudziwo vakanditadzira; uye vaporofita vakaporofita naBhaari, vachitevera zvisingabatsiri.
  19091. Jer 2:9 Naizvozvo ndichakakavadzanazve newe, anoreva Jehovha, uye ndichakakavadzana nevana vevana venyu.
  19092. Jer 2:10 Nokuti pfuurirai kuzviwi zveKitimi mugoona; uye tumai vanhu kuKedhari, mufungisise zvakanaka; zvino muone kana kune chinhu chakadai.
  19093. Jer 2:11 Rudzi rwakatsinhanisa vamwari, kunyange ivo vasiri vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa rukudzo rwavo nezvisingabatsiri.
  19094. Jer 2:12 Shamiswai, imwi matenga, neichi, uye mutye zvikuru, paradzwai kwazvo, anoreva Jehovha.
  19095. Jer 2:13 Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya ini tsime remvura mhenyu, kuzvicherera mativi, mativi akaputsika, asingachengeti mvura.
  19096. Jer 2:14 Israeri muranda here? Kana ndiye muranda akaberekerwa mumba here? Sei waiva wekupambwa?
  19097. Jer 2:15 Vana veshumba vakamuombera, vakapa inzwi ravo, vakaisa nyika yake kukuparara; maguta ake akapiswa pasina mugari.
  19098. Jer 2:16 Nevana veNofi neTapanesi vakadyira panhongonya yako.
  19099. Jer 2:17 Hauna kuzviitira izvi here, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakutungamirira panzira?
  19100. Jer 2:18 Zvino ikozvino unei nenzira yeEgipita, kuti unwe mvura yeSihori here? Uye unei nenzira yeAsiriya, kuti unwe mvura yeRwizi?
  19101. Jer 2:19 Zvakaipa zvako zvichakuraira, nekudzokera kwako shure kuchakutsiura. Naizvozvo ziva ugoona kuti chinhu chakaipa uye chinovava kuti usiye Jehovha Mwari wako, uye kuti kunditya hakuko kwauri, anoreva Ishe Jehovha wehondo.
  19102. Jer 2:20 Nokuti kwava kare ndavhuna joko rako nekudimbura zvisungo zvako; iwe ndokuti: Handingashumiri; asi pamusoro pechikomo chipi nechipi chakakwirira nepasi pemuti upi neupi munyoro wakambeya-mbeya uchifeva.
  19103. Jer 2:21 Zvakadaro ini ndakakusima, uri muzambiringa wakaisvonaka, mbeu yakatendeka zvakazara. Zvino washanduka sei kuva davi rakaipa remuzambiringa wekumwe kwandiri?
  19104. Jer 2:22 Nokuti kunyange ukashamba nesoda, ukazvitorera sipo zhinji, zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu, anoreva Ishe Jehovha.
  19105. Jer 2:23 Ungareva sei kuti: Handina kusvibiswa, handina kutevera vana Bhaari? Ona nzira yako pamupata, uzive chawakaita, hadzi yekamera inomhanya, inotara-tara nenzira dzayo.
  19106. Jer 2:24 Uri mbizi yakajaira renje, inofembedza mhepo pachishuwo chemoyo wayo; ndiani angaidzora pahavi yayo? Vose vanoitsvaka havangazvinetesi; pamwedzi wayo vachaiwana.
  19107. Jer 2:25 Dzora rutsoka rwako pakusava neshangu, nehuro dzako pakuva nenyota. Asi wakati: Hakuna tariro, kwete, nokuti ndakada vatorwa, uye ndichavatevera.
  19108. Jer 2:26 Mbavha sezvainonyara kana yawanikwa, saizvozvo veimba yaIsraeri vanyara, ivo, madzimambo avo, machinda avo, nevapristi vavo, nevaporofita vavo.
  19109. Jer 2:27 Ivo vanoti kudanda: Iwe uri baba vangu; nekuibwe: Iwe wakandibereka; nokuti vanotendeusira musana kwandiri, uye kwete chiso; asi panguva yedambudziko ravo vachati: Simukai mutiponese.
  19110. Jer 2:28 Asi varipi vana mwari vako vawakazviitira? Ngavasimuke kana vachakuponesa panguva yedambudziko rako; nokuti kuwanda kwemaguta ako ndiko kwevamwari vako, iwe Judha.
  19111. Jer 2:29 Munokakavadziranei neni? Imwi mose makanditadzira, anoreva Jehovha.
  19112. Jer 2:30 Ndakarova vana venyu pasina; havana kugamuchira kudzorwa. Munondo wenyu wapedza vaporofita venyu, seshumba inoparadza.
  19113. Jer 2:31 Imwi zera, onai shoko raJehovha. Ndanga ndiri renje here kuna Israeri? Kana nyika yerima here? Sei vanhu vangu vachiti: Tadzungaira, hatichauyizve kwauri?
  19114. Jer 2:32 Mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo, kana mwenga undanyara hwake here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa mazuva asingaverengeki.
  19115. Jer 2:33 Wagadzira nzira yako zvakanaka sei pakutsvaka rudo? Naizvozvo wakadzidzisawo vakadzi vakaipa nzira dzako.
  19116. Jer 2:34 Pamipendero yakowo panowanikwa ropa nemweya yeupenyu yevarombo vasina mhosva; handina kuvawana vachipaza, asi pamusoro peizvi zvose.
  19117. Jer 2:35 Zvakadaro unoti: Nokuti handina mhosva, zvirokwazvo hasha dzake dzichadzoka kubva kwandiri. Tarira, ndichakutonga, zvaunoti: Handina kutadza.
  19118. Jer 2:36 Unofambirei zvakadaro kushandura nzira yako? Iwewo uchanyara neEgipita, sezvawakanyara neAsiriya.
  19119. Jer 2:37 Hongu, uchabuda ubve pano, uye maoko ako ari pamusoro pemusoro wako; nokuti Jehovha wakaramba kuvimba kwako kukuru, newe haungabudiriri mazviri.
  19120. Jer 3:1 Zvinonzi: Kana murume achirasa mukadzi wake, iye akabva kwaari ndokuva weumwe murume, iye achadzokazve kwaari here? Nyika iyo haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva nevadikanwi vazhinji; zvakadaro dzokazve kwandiri, anoreva Jehovha.
  19121. Jer 3:2 Simudzira meso ako kumidunduru uone; ndepapi pausina kurarwa newe? Panzira wakavagarira, semuArabhiya parenje; uye wasvibisa nyika neufeve hwako ukuru uye neuipi hwako.
  19122. Jer 3:3 Naizvozvo mvura inopfunha yakanyimwa, nemvura yekupedzisira yaiva isipo; zvino wakava nehuma yechifeve, wakaramba kunyadziswa.
  19123. Jer 3:4 Kubva ikozvino haungachemi kwandiri here: Baba vangu, muri shamwari yeudiki hwangu?
  19124. Jer 3:5 Iye achachengeta hasha dzake nekusingaperi here? Achachengetedza kusvika pakupedzisira here? Tarira, iye wakataura, wakaita zvinhu zvakaipa, ukabudirira.
  19125. Jer 3:6 Jehovha wakatizve kwandiri nemazuva aJosiya mambo: Waona here Israeri anodzokera shure zvaakaita? Iye wakaenda kugomo rimwe nerimwe rakakwirira, nekusvika pasi pemuti umwe neumwe mutema, ndokufevapo.
  19126. Jer 3:7 Zvino ndakati pashure aita zvinhu zvose izvi: Dzokera kwandiri; asi haana kudzokera. Nehanzvadzi yake isakatendeka Judha wakaona.
  19127. Jer 3:8 Zvino ndakaona, ipapo nekuda kwezvikonzero zvose Israeri wekudzokera shure zvaakaitira ufeve, ndakamudzinga ndikamupa rugwaro rwake rwekurambana, kuti hanzvadzi yavo isakatendeka, Judha, haana kutya, asi naiye wakafamba ndokunofeva.
  19128. Jer 3:9 Zvino zvakaitika nekuda kwekusakoshesa kwekufeva kwake kuti wakasvibisa nyika, wakapombora nemabwe nematanda.
  19129. Jer 3:10 Zvakadarowo pane zvose izvi, hanzvadzi yavo isakatendeka, Judha, haana kudzokera kwandiri nemoyo wake wose, asi nekunyengera, anoreva Jehovha.
  19130. Jer 3:11 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Israeri wekudzokera shure wakazvishaisa mhosva kukunda Judha wekusatendeka.
  19131. Jer 3:12 Enda unodanidzira mashoko awa kumaodzanyemba, uti: Dzokai, Israeri wekudzokera shure, anoreva Jehovha. Handingawisiri hasha dzangu pamusoro pako, nokuti ndine nyasha, anoreva Jehovha. Handingachengeti hasha dzangu nekusingaperi.
  19132. Jer 3:13 Koga ziva chitadzo chako kuti wakatadzira Mwari wako, wakaparadzira nzira dzako kuvatorwa pasi pemuti umwe neumwe mutema, uye hauna kuteerera kushoko rangu, anoreva Jehovha.
  19133. Jer 3:14 Dzokai, vana vekudzokera shure, anoreva Jehovha, nokuti ini ndakazviwanisa kwamuri, uye ndichakutorai, umwe paguta, uye vaviri pamhuri, uye ndichakuisai kuZiyoni.
  19134. Jer 3:15 Zvino ndichakupai vafudzi zvichienderana nemoyo wangu; uye vachakufudzai neruzivo nekunzwisisa.
  19135. Jer 3:16 Zvino zvichaitika kana mawanda mabereka zvibereko panyika, nemazuva iwawo, anoreva Jehovha, havangatizve: Areka yesungano yaJehovha; zvino haingasviki pamoyo, uye havangairangariri, uye havangaishanyiri, zvisazoitikazve.
  19136. Jer 3:17 Panguva iyo vachatumidza Jerusarema chigaro cheushe chaJehovha; uye marudzi ose achaunganidzirwa kwariri, kuJerusarema, nekuda kwezita raJehovha; uye havachazoteveri ukukutu hwemoyo yavo yakashata.
  19137. Jer 3:18 Nemazuva iwawo imba yaJudha ichafamba pamwe neimba yaIsraeri; uye vachabuda pamwe chete kubva kunyika yekumaodzanyemba, vauye kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.
  19138. Jer 3:19 Asi ini ndakati: Ndichakuisa sei pakati pevana, ndikupe nyika inoyevedza, nhaka yakanaka kwazvo yemarudzi? Zvino ndakati: Uchanditi: Baba vangu; uye usingatsauki pakunditevera.
  19139. Jer 3:20 Zvirokwazvo, semukadzi asina kuvimbika kumurume wake, saizvozvo hamuna kuvimbika kwandiri, imwi imba yaIsraeri, anoreva Jehovha.
  19140. Jer 3:21 Inzwi rinonzwika kumidunduru, kuchema, kunyengetera kwevana vaIsraeri; nokuti vakaminamisa nzira yavo, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
  19141. Jer 3:22 Dzokai, imwi vana vekudzokera shure; ndichapodza kudzokera shure kwenyu kuzhinji. Tarirai, isu tauya kwamuri, nokuti muri Jehovha Mwari wedu.
  19142. Jer 3:23 Zvirokwazvo, hazvina maturo zvinobva kumidunduru, kuwanda kwemakomo. Zvirokwazvo ruponeso rwaIsraeri rwuri kuna Jehovha Mwari wedu.
  19143. Jer 3:24 Nokuti chinyangadzo chapedza basa remadzibaba edu kubva paudiki hwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo nevanasikana vavo.
  19144. Jer 3:25 Tinorara pasi muchinyadzo chedu, nenyadzi dzedu dzakatifukidza, nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu nemadzibaba edu, kubva paudiki hwedu kusvika nhasi; uye hatina kuteerera shoko raJehovha Mwari wedu.
  19145. Jer 4:1 Kana ukadzoka, Israeri, anoreva Jehovha, dzokera kwandiri; uye kana ukabvisa zvinyangadzo zvako kubva pachiso changu, zvino haungazungunuki.
  19146. Jer 4:2 Zvino muchapika: NaJehovha mupenyu, muchokwadi, mumutongo, nemukururama; uye marudzi achazviropafadza maari, nekuzvirumbidza maari.
  19147. Jer 4:3 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kuvarume vaJudha nekuJerusarema: Zvivundirei gombo, uye musadzvara pakati peminzwa.
  19148. Jer 4:4 Zvidzingisirei Jehovha, uye bvisai zvikanda zvepamberi zvemoyo yenyu, varume vaJudha nevagari veJerusarema; zvimwe hasha dzangu dzingabuda semoto, ndokupisa zvekuti hapana angadzima, nekuda kwekuipa zvezviito zvenyu.
  19149. Jer 4:5 Paridza muJudha, ugonzwisa muJerusarema, ugoti: Ridzai hwamanda panyika, danai zvakazara muti: Zviunganidzei ngatiende kumaguta akakomberedzwa.
  19150. Jer 4:6 Simudzai mureza nechekuZiyoni, tizai, musamira; nokuti ndichauisa chakaipa kubva kumaodzanyemba, nekuparadza kukuru.
  19151. Jer 4:7 Shumba yakwira kubva mudenhere rayo, uye muparadzi wemarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aite nyika yako dongo; maguta ako achava matongo, kusava nemugari.
  19152. Jer 4:8 Nekuda kweizvi zvisungei zviuno nemasaga, rirai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunopfuta hakuna kudzoka kubva kwatiri.
  19153. Jer 4:9 Zvino zvichaitika pazuva iro, anoreva Jehovha, moyo wamambo uchaparara, nemoyo wemachinda, uye vapristi vachashamiswa, nevaporofita vachakanuka.
  19154. Jer 4:10 Ipapo ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha! Zvirokwazvo makanyengera zvekuvanyengera vanhu ava neJerusarema, muchiti: Muchava nerugare. Asi munondo unosenerera pamweya weupenyu.
  19155. Jer 4:11 Nenguva iyo zvichanzi kuvanhu ava nekuJerusarema: Mhepo inopisa yemidunduru murenje, nzira yemukunda wevanhu vangu, isiri yekurudza uye isiri yekunatsa.
  19156. Jer 4:12 Mhepo izere inobva kunzvimbo idzi ichauya kwandiri. Ikozvino neni ndichataura mitongo yakanangana navo.
  19157. Jer 4:13 Tarirai, achakwira semakore, nengoro dzake sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Nhamo kwatiri, nokuti taparadzwa.
  19158. Jer 4:14 Iwe Jerusarema, suka moyo wako pane zvakaipa, kuti uponeswe. Mirangariro yako isina maturo ichagara mukati mako kusvika rinhi?
  19159. Jer 4:15 Nokuti inzwi rinodanidzira kubva kuDhani, rinozivisa dambudziko kubva pagomo reEfuremu.
  19160. Jer 4:16 Revai kumarudzi, tarirai, zivisai muchirwisa Jerusarema; nharirire dzinobva kunyika iri kure; dzinosimudzira inzwi ravo kurwisana nemaguta aJudha.
  19161. Jer 4:17 Sevarindi vemunda vanomurwisa kukomberedza, nokuti wakandimukira, anoreva Jehovha.
  19162. Jer 4:18 Nzira yako nezviito zvako zvakuitira zvinhu izvi; uku kuipa kwako, nokuti zvinorwadza, nokuti zvinosenerera kumoyo wako.
  19163. Jer 4:19 Ura hwangu! Ura hwangu! Ndinorwadziwa pamasvingo emoyo wangu; moyo wangu unoita ruzha mukati mangu; handinyarari, nokuti iwe mweya weupenyu wangu wanzwa kurira kwehwamanda, mhere yehondo.
  19164. Jer 4:20 Kunodanidzirwa kuparara pamusoro pekuparara, nokuti nyika yose yaparara. Matende angu aparadzwa kamwe-kamwe, maketeni angu mukubwaira kweziso.
  19165. Jer 4:21 Kusvika rinhi ndichiona mureza, ndichinzwa kurira kwehwamanda?
  19166. Jer 4:22 Nokuti vanhu vangu mapenzi; ini havandizivi; vana matununu; uye havana kunzwisisa; vakachenjerera kuita zvakaipa, asi havazivi kuita zvakanaka.
  19167. Jer 4:23 Ndakaona nyika, zvino tarira, haina chimiro, isina chinhu; nematenga, asi chiedza chawo chakanga chisipo.
  19168. Jer 4:24 Ndakaona makomo, zvino tarira, akadedera; nezvikomo zvose zvakazungunuka.
  19169. Jer 4:25 Ndakaona, zvino tarira, hakuna munhu; neshiri dzose dzekumatenga dzatiza.
  19170. Jer 4:26 Ndakaona, zvino tarira, nzvimbo inobereka yava renje, nemaguta ayo ose akaputsirwa pasi, nekuda kwaJehovha, nekuda kwekutsamwa kwake kunopfuta.
  19171. Jer 4:27 Nokuti Jehovha wakareva saizvozvi: Nyika yose ichava dongo, asi handingapedzi chose.
  19172. Jer 4:28 Nekuda kweizvi nyika ichachema, nematenga kumusoro achava matema, nokuti ndataura, ndazvifunga, uye handingazvidembi, uye handingadzoki pazviri.
  19173. Jer 4:29 Guta rose richatiza ruzha rwevatasvi vemabhiza nevafuri veuta; vachaenda mumatenhere, nekukwira pamusoro pemabwe; guta rimwe nerimwe richasiiwa, uye hakungavi nemunhu anogaramo.
  19174. Jer 4:30 Zvino iwe wekuparadzwa, uchaitei? Kunyange ukazvipfekedza nezvishava, kunyange ukazvishongedza nezvishongo zvegoridhe, kunyange ukazodza meso ako nezvishanduro, uchazvinatsira pasina; vadikanwi vachakuzvidza, vachatsvaka upenyu hwako.
  19175. Jer 4:31 Nokuti ndanzwa inzwi seremukadzi anorwadziwa nemimba, marwadzo seeanobereka mwana wekutanga, inzwi remukunda weZiyoni, anofemedzeka, anotandavadza maoko ake, achiti: Nhamo kwandiri zvino! Nokuti mweya weupenyu wangu waziya nekuda kwevaurayi!
  19176. Jer 5:1 Endai uko neuko panzira dzemuguta dzeJerusarema, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa yaro inova gwenga, kana mungawana munhu, kana aripo anoita mutongo, anotsvaka chokwadi; ipapo ndicharikanganwira.
  19177. Jer 5:2 Kunyange havo vachiti: NaJehovha mupenyu; zvirokwazvo vanopika nhema.
  19178. Jer 5:3 Jehovha, meso enyu haasi pachokwadi here? Makavarova asi havana kurwadziwa; makavapedza, vakaramba kugamuchira kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.
  19179. Jer 5:4 Zvino ini ndakati: Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, mutongo waMwari wavo.
  19180. Jer 5:5 Ini ndichaenda kuvakuru, uye ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, mutongo waMwari wavo. Asi ivo pamwechete vakavhuna joko, vakadambura zvisungo.
  19181. Jer 5:6 Naizvozvo shumba kubuda musango ichavauraya, bere remumarenje richavaparadza, ingwe icharindira pamaguta avo, umwe neumwe anobudamo achabvamburwa; nokuti zvitadzo zvavo zvizhinji, kudzokera shure kwavo kwawedzerwa.
  19182. Jer 5:7 Ndingakukanganwira sei pane ichi? Vana vako vakandisiya, uye vakapika nevasiri vamwari. Pandaiva ndavagutsa ipapo vakaita upombwe, uye vakazviunganidza nemapoka muimba yechifeve.
  19183. Jer 5:8 Vakava mabhiza akaguta mangwanani, vanopfeza, umwe neumwe kumukadzi wewekwake.
  19184. Jer 5:9 Handingarangi here nekuda kwezvinhu izvi, anoreva Jehovha? Uye mweya weupenyu wangu haungazvitsiviri here kurudzi rwakadai?
  19185. Jer 5:10 Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musaita kuguma kwakazara; bvisai matavi aro, nokuti haasi aJehovha.
  19186. Jer 5:11 Nokuti imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaita nekunyengera kukuru kwandiri, anoreva Jehovha.
  19187. Jer 5:12 Vakaramba Jehovha, vakati: Haasi iye; uye chakaipa hachingavawiri, uye hatingaoni munondo kana nzara.
  19188. Jer 5:13 Zvino vaporofita vachava mhepo, neshoko hariko kwavari; zvichaitwa saizvozvo kwavari.
  19189. Jer 5:14 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha Mwari wehondo: Nokuti mataura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu mumuromo menyu ave moto, uye vanhu ava vave huni, zvino iwo uchavapedza.
  19190. Jer 5:15 Tarirai, ndichauisa pamusoro penyu rudzi rwunobva kure, imba yaIsraeri, anoreva Jehovha, rudzi rwune simba, rudzi rwekare, rudzi rurimi rwarwo rwamusingazivi, uye rwamusinganzwisisi zvarwunoreva.
  19191. Jer 5:16 Goba ravo iguva rakashama; vose varume vane simba.
  19192. Jer 5:17 Zvino rwuchadya goho rako nezvekudya zvako; vachadya vanakomana vako nevakunda vako; rwuchadya makwai ako nemombe dzako; rwuchadya muzambiringa wako nemuonde wako; rwuchaita maguta ako akakoshoshewa varombo nemunondo, awaivimba nawo.
  19193. Jer 5:18 Asiwo mumazuva iwawo, anoreva Jehovha, handingakuitii kuguma kwakazara.
  19194. Jer 5:19 Zvino zvichaitika pamuchati: Jehovha Mwari wedu wakatiitirei zvinhu izvi zvose? Ipapo achati kwavari: Sezvamakandisiya ndokushumira vamwari vevatorwa munyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa munyika isiri yenyu.
  19195. Jer 5:20 Danidzirai izvi muimba yaJakove, uye zvizivisei kwaJudha, muchiti:
  19196. Jer 5:21 Inzwai izvi ikozvino, imwi vanhu mapenzi, nemwi musinganzwisisi, mune meso, asi hamuoni, mune nzeve asi hamunzwi.
  19197. Jer 5:22 Musanditya, anoreva Jehovha? Hamungadederi pamberi pangu here? Ndakaisa jecha kuva muganhu wegungwa, chimiso chekusingaperi kuti risaudarika. Zvino kunyange mafungu aro achirovana, zvakadaro haangakundi; kunyange akaomba, zvakadaro haangaripfuuri.
  19198. Jer 5:23 Asi vanhu ava vane moyo unomukira uye unopanduka; vapanduka uye vaenda.
  19199. Jer 5:24 Zvino havati mumoyo mavo: Ngatityei ikozvino Jehovha Mwari wedu, anopa mvura, zvose yekutanga neyekupedzisira, panguva yake, anotichengetera mavhiki akatarwa egoho.
  19200. Jer 5:25 Zvitadzo zvenyu zvakatsausa zvinhu izvi, uye zvivi zvenyu zvakakunyimisai zvakanaka.
  19201. Jer 5:26 Nokuti pakati pevanhu vangu panowanikwa vakaipa; vakavandira sevanoteya shiri; vanoteya rudzingi rwunoparadza, ndokubata vanhu.
  19202. Jer 5:27 Sedendere rizere shiri, dzakadaro dzimba dzavo dzizere kunyengera; naizvozvo vava vakuru, vafuma.
  19203. Jer 5:28 Vakora, vobwinya; zvirokwazvo vanokurira mabasa ewakaipa; havamiririri mhaka, mhaka yenherera, zvakadaro vanobudirira; uye havatongi kodzero yevanoshaiwa.
  19204. Jer 5:29 Handingarangi pazvinhu izvi here? anoreva Jehovha. Mweya weupenyu wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
  19205. Jer 5:30 Chinovhundusa nechinotyisa chaitika panyika.
  19206. Jer 5:31 Vaporofita vanoporofita nhema, nevapristi vanotonga nemaoko avo; zvino vanhu vangu vanoda zvakadaro; zvino muchaitei pakupedzisira kwazvo?
  19207. Jer 6:1 Imwi vana vaBhenjamini, zviunganidzirei kutiza kubva mukati meJerusarema, uye ridzai hwamanda muTekowa, uye misai chiratidzo chemoto paBheti-Hakeremu; nokuti chakaipa chinotarisa pasi kubva kumaodzanyemba, nekuparara kukuru.
  19208. Jer 6:2 Ndakafananidza mukunda weZiyoni newakanaka uye munyoro.
  19209. Jer 6:3 Vafudzi vachasvika kwariri nemapoka avo. Vachadzika matende kumurwisa mativi ose; umwe neumwe achadya panzvimbo yake.
  19210. Jer 6:4 Zvitsaurirei hondo kurwisana naro; simukai, ngatikwire masikati makuru. Nhamo kwatiri! Nokuti zuva rovira; nokuti mimvuri yemadekwani yareba.
  19211. Jer 6:5 Simukai, tikwire usiku, tiparadze mizinda yaro.
  19212. Jer 6:6 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Temerai miti pasi, mututire paJerusarema murwi wekurwa; ndiro guta richarangwa; mukati maro mune kumanikidza chete.
  19213. Jer 6:7 Setsime rinobudisa mvura yaro zhinji, saizvozvo anobudisa kuipa kwake. Kumanikidza nekupamba zvinonzwikwa maari; pamberi pangu pane marwadzo nemavanga nguva dzose.
  19214. Jer 6:8 Rairika, Jerusarema, zvimwe mweya weupenyu wangu ubve mauri, zvimwe ndikuite dongo, nyika isina kugarwa.
  19215. Jer 6:9 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Vachafuhurura zvekufuhurura vakasara vaIsraeri semuzambiringa; dzosa ruoko rwako mumatengu semukohwi wemazambiringa.
  19216. Jer 6:10 Ndichataura kuna ani ndigopa yambiro kuti vanzwe? Tarirai, nzeve yavo haina kudzingiswa, kuti havagoni kuteerera; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinomhurwa, havarifariri.
  19217. Jer 6:11 Naizvozvo ndizere hasha dzaJehovha, ndaneta nekuzvidzora; ndichakudurura pamusoro pevana kunze nepamusoro peungano yemajaya pamwe chete; nokuti kunyange murume pamwe nemukadzi achabatwa, mutana pamwe newazara nemakore.
  19218. Jer 6:12 Zvino dzimba dzavo dzichapiwa kune vamwe, minda nevakadzi pamwe chete; nokuti ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pevagari vepanyika, anoreva Jehovha.
  19219. Jer 6:13 Nokuti kubva kumudiki wavo kusvika kumukuru wavo, umwe neumwe anokarira fuma yakaipa; uye kubva kumuporofita kusvika kumupristi, umwe neumwe anoita nekunyengera.
  19220. Jer 6:14 Uye vakapodza vanga revanhu vangu zvishomanana vachiti: Rugare, rugare; ipo pasina rugare.
  19221. Jer 6:15 Vakanyara here nokuti vakaita chinyangadzo? Kwete, havana kutombonyara, uye havana kuziva nyadzi; naizvozvo vachawa pane vanowa; panguva yekuvashanyira kwangu vachawisirwa pasi; anoreva Jehovha.
  19222. Jer 6:16 Anoreva seizvi Jehovha: Mirai padzinzira, muone, mugobvunza nezvemakwara ekare, kuti iripi nzira yakanaka, mugofamba nayo; zvino muchawana zororo remweya weupenyu wenyu. Asi vakati: Hatingafambi nayo.
  19223. Jer 6:17 Uye ndakaisa nharirire pamusoro penyu. Teererai kukurira kwehwamanda. Asi vakati: Hatingateereri.
  19224. Jer 6:18 Naizvozvo inzwai, imwi marudzi, mugoziva, iwe ungano, zviri pakati pavo.
  19225. Jer 6:19 Inzwa, iwe nyika, tarira, ndichauisa chakaipa pamusoro pevanhu ava, chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera kumashoko angu, kana kumurairo wangu, asi vakauramba.
  19226. Jer 6:20 Zvinouirei kwandiri zvipfungaidzo zvinonhuhwira kubva kuShebha, nenzimbe dzinonaka kubva kunyika iri kure? Zvipo zvenyu zvinopiswa hazvigamuchirwi, nezvibairo zvenyu hazvitapiri kwandiri.
  19227. Jer 6:21 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichaisa zvigumbuso pamberi pevanhu ava; zvino vana baba pamwe nevanakomana vachagumburwa pamwe nazvo, muvakidzani neshamwari yake, uye vachaparara.
  19228. Jer 6:22 Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, vanhu vanobva kunyika yemaodzanyemba; uye rudzi rukuru ruchamutswa kubva kumativi enyika.
  19229. Jer 6:23 Vachabata uta nepfumo, vane utsinye, uye havana tsitsi; inzwi ravo rinoomba segungwa, uye vakatasva mabhiza; vakarongedzerwa sevarume vehondo kukurwisa, iwe mukunda weZiyoni.
  19230. Jer 6:24 Takanzwa guhu razvo; maoko edu anoshaiwa simba; kutambudzika kwatibata, kurwadziwa sekwemukadzi ari kusungunuka.
  19231. Jer 6:25 Regai kubudira kusango, uye regai kufamba nenzira; nokuti kune munondo wemuvengi, kutya pamativi ose.
  19232. Jer 6:26 Iwe mukunda wevanhu vangu, zvisunge chiuno nesaga, uye zviumburudze mumadota, zviite anochema mwanakomana umwe oga, mariro anorwadza chose, nokuti muparadzi achatiwira kamwe-kamwe.
  19233. Jer 6:27 Ndakakuisa kuva shongwe, nhare pakati pevanhu vangu, kuti uzive uye uidze nzira yavo.
  19234. Jer 6:28 Vose vapanduki vane nharo, vanofamba vachinyeya, indarira nedare, vose vakanganisi.
  19235. Jer 6:29 Mvuto inopfuta, mutobvu unopedzwa nemoto, munyungudusi anonyungudusa pasina, nokuti vakaipa havabviswi.
  19236. Jer 6:30 Vachanzi sirivha yakaraswa, nokuti Jehovha wakavaramba.
  19237. Jer 7:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:
  19238. Jer 7:2 Mira pasuwo reimba yaJehovha, zvino paridza ipapo shoko iri, uye uti: Inzwai shoko raJehovha, imwi mose vekwaJudha, munopinda nepamasuwo awa kuzoshumira Jehovha.
  19239. Jer 7:3 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Natsai nzira dzenyu nezviito zvenyu, zvino ndichakugarisai panzvimbo ino.
  19240. Jer 7:4 Imwi musavimba nemashoko enhema anoti: Izvi itembere yaJehovha, tembere yaJehovha, tembere yaJehovha.
  19241. Jer 7:5 Nokuti kana mukanatsa zvekunatsa nzira dzenyu nezviito zvenyu; kana muchiita mitongo kwazvo pakati pemunhu newekwake;
  19242. Jer 7:6 musingamanikidzi mutorwa, nherera, nechirikadzi, uye musingateuri ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye musingateveri vamwe vamwari kuti zvikuipirei;
  19243. Jer 7:7 ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubva kare kusvika rinhi narinhi.
  19244. Jer 7:8 Tarirai, munovimba nemashoko enhema, asingabatsiri chinhu.
  19245. Jer 7:9 Muchaba, muchauraya, nekuita upombwe, nekupika nhema, nekupisira Bhaari zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekutevera vamwe vamwari vamusingazivi here?
  19246. Jer 7:10 Zvino muchauya ndokumira pamberi pangu muimba ino, inodanwa nezita rangu, mugoti: Takasunungurwa kuita zvinyangadzo zvose izvi?
  19247. Jer 7:11 Imba iyi inodanwa nezita rangu yava bako remakororo pameso penyu here? Ini, tarirai, ndaona, anoreva Jehovha.
  19248. Jer 7:12 Asi endai ikozvino kunzvimbo yangu iri paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, zvino muone zvandakaiitira nekuda kwekuipa kwevanhu vangu Israeri.
  19249. Jer 7:13 Zvino ikozvino, nokuti maita mabasa ose awa, anoreva Jehovha, uye ndataura nemwi, ndichimuka mangwanani ndichitaura, asi hamuna kunzwa, ndakakudanai, asi hamuna kupindura;
  19250. Jer 7:14 naizvozvo ndichaitira imba iyi, inodanwa nezita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo iyi yandakakupai imwi nemadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.
  19251. Jer 7:15 Naizvozvo ndichakudzingai mubve pachiso changu, sezvandakadzinga hama dzenyu dzose, mbeu yose yaEfuremu.
  19252. Jer 7:16 Naizvozvo iwe usanyengeterera vanhu ava, usavasimudzira kuchema kana munyengetero, usareverera kwandiri, nokuti handingakunzwi.
  19253. Jer 7:17 Hauoni zvavanoita mumaguta aJudha nemunzira dzemumisha dzemuJerusarema here?
  19254. Jer 7:18 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye vakadzi vanokanya mukanyiwa kuti vaitire vahosi vekumatenga makeke, nekudururira vamwe vamwari zvipo zvezvinwiwa, kuti vanditsamwise.
  19255. Jer 7:19 Vanonditsamwisa here? anoreva Jehovha; havazinozvinetsa here, kuti vazvinyadzise zviso zvavo?
  19256. Jer 7:20 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pemunhu, nepamusoro pemhuka, nepamusoro pemiti yesango, nepamusoro pechibereko chepanyika, zvino zvichatsva uye hazvizodzimwi.
  19257. Jer 7:21 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Isai zvipo zvenyu zvinopiswa pamwe nezvibairo zvenyu, mudye nyama.
  19258. Jer 7:22 Nokuti handina kutaura kumadzibaba enyu uye handina kuvaraira pazuva randakavabudisa panyika yeEgipita maererano nenyaya yechipo chinopiswa kana chibairo.
  19259. Jer 7:23 Asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti: Teererai inzwi rangu, zvino ndichava Mwari wenyu, nemwi muchava vanhu vangu; uye fambai munzira dzose dzandichakurairai, kuti zvikunakirei.
  19260. Jer 7:24 Asi havana kuteerera, uye havana kurerekera nzeve yavo, asi vakafamba nemazano mukurangarira kwemoyo wavo wakaipa, nekudzokera kumashure, kwete mberi.
  19261. Jer 7:25 Kubva pazuva madzibaba enyu raakabuda naro panyika yeEgipita, kusvika pazuva rino, ndakakutumirai varanda vangu vose, vaporofita, zuva nezuva ndichimuka mangwanani ndichituma;
  19262. Jer 7:26 zvakadaro havana kunditeerera, uye havana kurerekera nzeve yavo, asi vakaomesa mutsipa wavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.
  19263. Jer 7:27 Naizvozvo uchataura mashoko awa ose kwavari, asi havangakuteereri; zvino uchadana kwavari, asi havangakupinduri.
  19264. Jer 7:28 Naizvozvo uchati kwavari: Urwu rudzi rwusinganzwi shoko raJehovha Mwari warwo, uye rwusingagamuchiri kurangwa; chokwadi chapera, uye chagurwa kubva pamuromo warwo.
  19265. Jer 7:29 Vevurai vhudzi renyu, murase; musimudze mariro panzvimbo dzakakwirira, nokuti Jehovha waramba uye wasiya zera rekutsamwa kwake.
  19266. Jer 7:30 Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pameso angu, anoreva Jehovha; vakaisa zvinyangadzo zvavo muimba inodanwa nezita rangu, kuti vaisvibise.
  19267. Jer 7:31 Zvino vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata wemwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana vavo nevakunda vavo mumoto, zvandisina kuraira, uye zvisina kupinda mumoyo mangu.
  19268. Jer 7:32 Naizvozvo, tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, paisingazonzi Tofeti, kana mupata wemwanakomana waHinomi, asi Mupata wekuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, kuti pasava nenzvimbo.
  19269. Jer 7:33 Nezvitunha zvevanhu ava zvichava chekudya cheshiri dzematenga nechemhuka dzepanyika, uye hakuna achazvibhururusa.
  19270. Jer 7:34 Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha nepanzira dzemuJerusarema inzwi remufaro, nenzwi remufaro mukuru, inzwi rechikomba, nenzwi remwenga; nokuti nyika ichava dongo.
  19271. Jer 8:1 Nenguva iyo, anoreva Jehovha, vachabvisa mapfupa emadzimambo ekwaJudha nemapfupa emachinda awo nemapfupa evapristi nemapfupa evaporofita nemapfupa evagari veJerusarema pamakuva avo.
  19272. Jer 8:2 Zvino vachaaparadzira pazuva nepamwedzi nepahondo yose yekumatenga, zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaitsvaka, nezvavainamata; haangaunganidzwi, uye haangavigwi; achava emupfudze pachiso chenyika.
  19273. Jer 8:3 Zvino rufu rwuchasarudzwa kupfuura upenyu kuvasiiwa vose vevakasara vemhuri iyi yakaipa, kunzvimbo dzose dzevakasara kwandakavadzingira, anoreva Jehovha wehondo.
  19274. Jer 8:4 Uchati kwavari zvekare: Anoreva seizvi Jehovha: Vachawa vakasamuka here? Vachatsauka vakasadzoka here?
  19275. Jer 8:5 Zvino vanhu ava veJerusarema vakadzokerei nekudzokera kusingatongoperi? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka.
  19276. Jer 8:6 Ndakateerera ndikanzwa; havana kutaura zvakanaka; hakuna munhu unozvidemba pakuipa kwake, achiti: Ndakaitei? Umwe neumwe anodzokera panhangemutange yake, sebhiza rinomhanyira kuhondo.
  19277. Jer 8:7 Zvirokwazvo shuramurove riri kumatenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo zvinochengetedza nguva dzekuuya kwazvo, asi vanhu vangu havazivi mutongo waJehovha.
  19278. Jer 8:8 Munoreva sei muchiti: Takachenjera, uye murairo waJehovha unesu? Tarirai, zvirokwazvo peni yenhema yevanyori inoshandira pasina.
  19279. Jer 8:9 Vakachenjera vakanyara, vakavhunduka uye vakabatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere rudzii?
  19280. Jer 8:10 Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kune vamwe, neminda yavo kune vachavagara nhaka; nokuti umwe neumwe kubva kumudikisa kusvika kumukurusa vanokarira fuma yakaipa; kubva kumuporofita kusvika kumupristi umwe neumwe unoita nekunyengera.
  19281. Jer 8:11 Nokuti vakangopodza kuputsika kwemukunda wevanhu vangu zvishoma, vachiti: Rugare, rugare! ipo pasina rugare.
  19282. Jer 8:12 Vakanyara here pavaiita chinyangadzo? Kwete, havana kutombonyara, uye havana kuziva kunyara; naizvozvo vachawa pakati pevanowa; panguva yekushanyirwa kwavo vachawisirwa pasi, anoreva Jehovha.
  19283. Jer 8:13 Zvirokwazvo ndichavapedza, anoreva Jehovha; hakungavi nezvibereko zvemuzambiringa mumuzambiringa, uye hakungavi nemaonde pamuonde, uye mashizha achasvava, nezvandakavapa zvichapfuura kwavari.
  19284. Jer 8:14 Tinogarireiko? Unganai, tipinde mumaguta akashoshewa, tinyararirepo; nokuti Jehovha Mwari wedu wakatinyaradza, wakatinwisa mvura yenduru, nokuti takatadzira Jehovha.
  19285. Jer 8:15 Takatarisira rugare, asi hakuna kuva nechakanaka; nguva yekurapiwa, asi tarira, dambudziko.
  19286. Jer 8:16 Kufembedza kwemabhiza ake kwakanzwikwa kubva paDhani; nyika yose yakadedera painzwi rekurira kweane simba ake; nokuti asvika, uye apedza nyika nekuzara kwayo, guta nevagere mariri.
  19287. Jer 8:17 Nokuti tarirai, ndinotuma pakati penyu nyoka, mvumbi, dzicharamba kuroyiwa; zvino dzichakurumai, anoreva Jehovha.
  19288. Jer 8:18 Ndichazvinyaradza pakusuruvara; moyo wangu unopera mandiri.
  19289. Jer 8:19 Tarirai, inzwi rekuchema kwemukunda wevanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti: Jehovha haasi muZiyoni here? Mambo waro haasi mukati maro here? Vakanditsamwisirei nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvisina maturo zvevatorwa?
  19290. Jer 8:20 Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera, asi isu hatina kuponeswa.
  19291. Jer 8:21 Ndinoputsika nekuda kwekuputsika kwemukunda wevanhu vangu; ndakasvibirirwa, kuvhunduka kwakandibata.
  19292. Jer 8:22 Hakuna mubharisami muGiriyadhi here? Hakuna murapiko here? Nokuti sei kurapwa kwemukunda wevanhu vangu kusingauyi?
  19293. Jer 9:1 Haiwa, dai musoro wangu waiva mvura zhinji, neziso rangu tsime remisodzi, kuti ndicheme masikati neusiku nekuda kwevakaurawa vemukunda wevanhu vangu!
  19294. Jer 9:2 Haiwa, dai ndaiva nedumba revafambi murenje; ipapo ndaisiya vanhu vangu, ndikabva kwavari! Nokuti vose imhombwe, ungano yevanonyengera.
  19295. Jer 9:3 Zvino vanokunga rurimi rwavo seuta hwavo kureva nhema, asi havasimbiriri pachokwadi panyika, nokuti vanoenderera kubva pachakaipa kuenda pachakaipa, uye havandizivi, anoreva Jehovha.
  19296. Jer 9:4 Chenjererai umwe neumwe wekwake, uye musavimba nehama ipi neipi, nokuti hama imwe neimwe ichanyengera zvekunyengera, uye wekwake umwe neumwe achafamba nemakuhwa.
  19297. Jer 9:5 Zvino vachanyengera, umwe neumwe wekwake, uye havangatauri chokwadi; vachidzidzisa rurimi rwavo kutaura nhema, vanozvinetsa nekuita zvakaipa.
  19298. Jer 9:6 Ugaro hwenyu huri pakati pekunyengera; nekunyengera vakaramba kundiziva; anoreva Jehovha.
  19299. Jer 9:7 Naizvozvo, anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarira, ndichavachenesa, uye ndichavaidza; nokuti ndichaita sei pamusoro pemukunda wevanhu vangu?
  19300. Jer 9:8 Rurimi rwavo museve wekuuraya, rwunotaura kunyengera; umwe anotaura rugare nemuromo wake kune wekwake, asi mukati make anomuvandira.
  19301. Jer 9:9 Handingavarangi here nekuda kwezvinhu izvi? anoreva Jehovha; mweya weupenyu wangu haungazvitsiviri rudzi rwakadai here?
  19302. Jer 9:10 Ndichasimudzira makomo kuchema nekuungudza, nemariro kuugaro hwerenje, nokuti zvapiswa, zvekuti hapana angapfuura nemo; uye havanganzwi inzwi rezvipfuwo; kubva kushiri dzekumatenga kusvika kumhuka zvatiza, zvaenda.
  19303. Jer 9:11 Uye ndichaita Jerusarema mirwi, gara remabukanana; uye ndichaita maguta aJudha matongo, musina mugari.
  19304. Jer 9:12 Ndiyani munhu wakachenjera anonzwisisa izvi? Uye muromo waJehovha wakataura kuna ani kuti azvidudzire? Sei nyika yakaparara uye kupiswa serenje kuti pasava neanopfuura?
  19305. Jer 9:13 Zvino Jehovha wakati: Nokuti vakasiya murairo wangu wandakaisa pamberi pavo, uye havana kuteerera inzwi rangu, uye havana kufamba mariri,
  19306. Jer 9:14 asi vakatevera ukukutu hwemoyo wavo, vakatevera vana Bhaari, madzibaba avo zvaakavadzidzisa.
  19307. Jer 9:15 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarira, ndichadyisa vanhu ava gavakava, nekuvanwisa mvura yenduru.
  19308. Jer 9:16 Ndichavaparadzirawo pakati pemarudzi, avasina kuziva ivo kana madzibaba avo; uye ndichatumira munondo kuvatevera, kusvika ndavapedza.
  19309. Jer 9:17 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ongororai, uye danai vakadzi vanochema kuti vauye, mutume kuvakadzi vakachenjera kuti vauye.
  19310. Jer 9:18 Zvino ngavakurumidze, vatisimudzire mariro, kuti meso edu aburuke misodzi, nemafunhiro emaziso edu adurure mvura zhinji.
  19311. Jer 9:19 Nokuti inzwi rekuchema rinonzwikwa richibva Ziyoni, richiti: Takaparadzwa sei! Takanyara kwazvo, nokuti takasiya nyika, nokuti vakakoromora nzvimbo dzedu dzekugara.
  19312. Jer 9:20 Asi inzwai, imwi vakadzi, shoko raJehovha, uye nzeve yenyu ngaigamuchire shoko remuromo wake; uye dzidzisai vakunda venyu kuchema mariro, uye umwe neumwe adzidzise wekwake kuungudza.
  19313. Jer 9:21 Nokuti rufu rwakakwira pamahwindo edu, rwakapinda mudzimba dzedu dzemadzimambo, kuti rwugure vanana vari kunze, majaya ari panzira dzemaguta.
  19314. Jer 9:22 Taura uti: Anoreva seizvi Jehovha: Hongu, chitunha chemunhu chichawira pasi semupfudze pachiso chemunda, uye setsama yehura dzinochekwa shure kwemukohwi, uye hapangavi neanounganidza.
  19315. Jer 9:23 Anoreva seizvi Jehovha: Wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pauchenjeri hwake, neane simba ngaarege kuzvirumbidza pasimba rake, wakafuma ngaarege kuzvirumbidza pafuma yake;
  19316. Jer 9:24 asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze pachinhu ichi, kuti unonzwisisa nekundiziva, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro hwerudo, mutongo, nekururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi, anoreva Jehovha.
  19317. Jer 9:25 Tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, pandicharanga vose vakadzingiswa pakusadzingiswa;
  19318. Jer 9:26 Egipita, naJudha, naEdhomu, nevana vaAmoni, naMoabhu, nevose vakakandwa mumakona, vanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa pamoyo.
  19319. Jer 10:1 Inzwai shoko Jehovha raanotaura kwamuri, imwi imba yaIsraeri.
  19320. Jer 10:2 Anoreva seizvi Jehovha: Regai kudzidza nzira yevahedheni, uye musavhunduswa nezviratidzo zvekumatenga; nokuti vahedheni vanovhunduswa nazvo.
  19321. Jer 10:3 Nokuti tsika dzevanhu hadzina maturo; nokuti kunotemwa muti kubva musango, basa remaoko enyanzvi, nedemo.
  19322. Jer 10:4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanousimbisa nezvipikiri nedzinyundo, kuti urege kuzununguka.
  19323. Jer 10:5 Zvakaita semuti wemurara webasa rakavezwa, asi hazvitauri; kunodikanwa kuti zvitakurwe, nokuti hazvifambi; musazvitya, nokuti hazviiti chakaipa, uyewo mazviri hamuna kuita chakanaka.
  19324. Jer 10:6 Sezvo kusina wakaita semwi, Jehovha, muri mukuru, uye zita renyu iguru pasimba.
  19325. Jer 10:7 Ndiani angarega kukutyai, imwi Mambo wemarudzi? Nokuti zvakakufanirai. Nokuti pakati pevose vakachenjera vemarudzi, nekuushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemwi.
  19326. Jer 10:8 Asi vose havana njere, mapenzi; danda idzidziso yezvisina maturo.
  19327. Jer 10:9 Isirivha yakapambadzirwa yakaunzwa kubva Tarishishi, negoridhe kubva kuUfazi, basa renyanzvi neremaoko emupfuri wegoridhe; zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute zvipfeko zvavo; zvose ibasa revakachenjera.
  19328. Jer 10:10 Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wekusingaperi; pakutsamwa kwake nyika inodedera; nemarudzi haagoni kumirisana nehasha dzake.
  19329. Jer 10:11 Muchareva seizvi kwavari: Vamwari vasina kuita matenga nenyika vachaparara kubva panyika nepasi pematenga awa.
  19330. Jer 10:12 Wakaita pasi nesimba rake, wakateya nyika neuchenjeri hwake, wakatatamura matenga nekunzwisisa kwake.
  19331. Jer 10:13 Kana achibudisa inzwi, kune mutinhiro wemvura zhinji kumatenga; uye anokwidza makore pamigumo yenyika; anoita dzimheni pamwe nemvura; uye anobudisa mhepo pamatura ake.
  19332. Jer 10:14 Munhu umwe neumwe haana njere paruzivo; mupfuri umwe neumwe wegoridhe unonyadziswa nechifananidzo chaakaveza; nokuti chifananidzo chake chakaumbwa nekunyungudusa ndechenhema, uye hakuna mweya mazviri.
  19333. Jer 10:15 Hazvina maturo, ibasa rekunyengera kukuru; panguva yekutsiviwa kwazvo zvichaparara.
  19334. Jer 10:16 Mugove waJakove hauna kuita saizvo, nokuti ndiye muumbi wezvose; naIsraeri itsvimbo yenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
  19335. Jer 10:17 Unganidza nhumbi dzako kubvisa panyika, iwe mukadzi mugari wemunhare.
  19336. Jer 10:18 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichavapotsera panze vagari venyika nenguva iyi, uye ndichavamanikidza, kuti vazviwane.
  19337. Jer 10:19 Nhamo kwandiri pakuvhunika kwangu; ronda rangu rinorwadza; asi ini ndakati: Zvirokwazvo ndihwo urwere, uye ndinofanira kuhutakura.
  19338. Jer 10:20 Tende rangu rakaputswa, nemabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, zvino havapo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisa maketeni angu.
  19339. Jer 10:21 Nokuti vafudzi vava vasina njere, uye havana kutsvaka Jehovha; naizvozvo havangabudiriri, neboka ravo rose rakapararira.
  19340. Jer 10:22 Tarirai, ruzha rweshoko rwasvika, nebope guru kubva kunyika yekumaodzanyemba, kuita maguta aJudha ave matongo, gara remabukanana.
  19341. Jer 10:23 Jehovha, ndinoziva kuti nzira yemunhu haizi yake amene; munhu, anofamba, haagoni kururamisa nhanho yake.
  19342. Jer 10:24 Jehovha, ndirangei, asi nemutongo; kwete nekutsamwa kwenyu, zvimwe mundideredze.
  19343. Jer 10:25 Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pemarudzi asingakuziviyi, nepamusoro pemhuri dzisingadani zita renyu; nokuti vakadya Jakove, zvirokwazvo, vakamudya nekumupedza, vakaparadza ugaro hwake.
  19344. Jer 11:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:
  19345. Jer 11:2 Inzwai mashoko esungano iyi, mutaure kuvanhu vaJudha, nekuvagari veJerusarema.
  19346. Jer 11:3 Zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri: Wakatukwa munhu asingateereri mashoko esungano iyi,
  19347. Jer 11:4 andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeEgipita, muchoto chematare, ndichiti: Teererai inzwi rangu, muzviite, zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;
  19348. Jer 11:5 kuti ndisimbise mhiko yandakapikira kumadzibaba enyu, kuvapa nyika inoyerera mukaka neuchi, sanhasi. Ipapo ndakapindura ndokuti: Ameni, Jehovha.
  19349. Jer 11:6 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, nepanzira dzemuJerusarema, uchiti: Inzwai mashoko esungano iyi, uye muaite.
  19350. Jer 11:7 Nokuti ndakapupura zvekupupura maererano nemadzibaba enyu, pazuva rekuvakwidza kwangu kubva munyika yeEgipita kusvika zuva rino, ndichimuka mangwanani ndokupupura ndichiti: Teererai kushoko rangu.
  19351. Jer 11:8 Asi havana kuteerera, uye havana kurerekera nzeve yavo, asi vakafamba umwe neumwe mumurangariro wemoyo wavo wakaipa; naizvozvo ndichauisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaite, asi havana kuita.
  19352. Jer 11:9 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Rangano yakaipa yawanikwa pakati pevanhu vaJudha nepakati pevagari veJerusarema.
  19353. Jer 11:10 Vakadzokera kuzvakaipa zvemadzitateguru avo, avo akaramba kunzwa mashoko angu; uye ivo vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita nemadzibaba avo.
  19354. Jer 11:11 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichauisa chakaipa pamusoro pavo, chavasingagoni kubuda pachiri; uye kunyange vakachema kwandiri, handingavanzwi.
  19355. Jer 11:12 Ipapo maguta aJudha nevagari veJerusarema vachaenda ndokuchema kuna vamwari vavakapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira; asi ivo havangatongovabatsiri panguva yedambudziko ravo.
  19356. Jer 11:13 Nokuti seuwandu hwemaguta ako vaiva vamwari vako, iwe Judha, uye seuwandu hwenzira dzeJerusarema wakamisa dziaritari kuva chinhu chinonyadzisa, aritari dzekupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Bhaari.
  19357. Jer 11:14 Naizvozvo iwe usanyengeterera vanhu ava, uye usavasimudzira kuchema nemunyengetero, nokuti handinzwi panguva yekudana kwavo kwandiri nekuda kwedambudziko ravo.
  19358. Jer 11:15 Mudikanwi wangu anei neimba yangu, zvaakaita chinyangadzo nevazhinji, uye nyama tsvene yapfuura kubva kwauri? Paunoita chakaipa, ipapo unofara.
  19359. Jer 11:16 Jehovha wakatumidza zita rako kuti: Muorivhi mutema, wakanaka, wezvibereko zvakanaka. Neruzha rwebongozozo guru wakavesa moto pamusoro pawo, nematavi awo avhunika.
  19360. Jer 11:17 Nokuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakataura zvakaipa pamusoro pako, nekuda kwezvakaipa zveimba yaIsraeri nezveimba yaJudha, zvavakazviitira kunditsamwisa pakupisira Bhaari zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  19361. Jer 11:18 Jehovha wakandizivisa kuti ndizive; zvino wakandiratidza zviito zvavo.
  19362. Jer 11:19 Asi ini ndaiva ndakaita segwayana nyoro rinoiswa kunobayiwa; nokuti ndaiva ndisingazivi kuti vakarangana mazano kundirwisa, vachiti: Ngatiparadze muti pamwe nezvibereko zvawo, uye ngatimugure kubva panyika yevapenyu, kuti zita rake risazorangarirwazve.
  19363. Jer 11:20 Asi imwi Jehovha wehondo, munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nemoyo, ngandione kutsiva kwenyu pavari, nokuti ndakaratidza kwamuri nyaya yangu.
  19364. Jer 11:21 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevarume veAnatoti, vanotsvaka upenyu hwako vachiti: Usaporofita muzita raJehovha, kuti urege kufa neruoko rwedu.
  19365. Jer 11:22 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichavaranga; majaya achafa nemunondo, vanakomana vavo nevanasikana vavo vachafa nenzara.
  19366. Jer 11:23 Zvino havangavi nevakasara, nokuti ndichauisa chakaipa pamusoro pevarume veAnatoti pagore rekurohwa kwavo.
  19367. Jer 12:1 Imwi Jehovha, makarurama, pandinokakavadzana nemwi, zvakadaro ndichataura nemwi [zve]mitongo [yenyu]. Sei nzira dzevakaipa dzichibudirira, [uye] vagere zvakanaka vose vanonyengera nekunyengera?
  19368. Jer 12:2 Imwi makavasima, zvirokwazvo vanodzika midzi; vanofamba, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imwi muri pedo nemuromo wavo, asi muri kure neitsvo dzavo.
  19369. Jer 12:3 Asi imwi Jehovha munondiziva; makandiona, uye makaidza moyo wangu kwamuri; vadzurei semakwai ekubaiwa, uye muvatsaurire zuva rekubaiwa.
  19370. Jer 12:4 Nyika ichachema kusvika rinhi, nemiriwo yesango rose ichasvava? Nekuda kwekuipa kwevagari vayo, mhuka neshiri zvinoparara, nokuti vanoti: Haangaoni mugumo wedu.
  19371. Jer 12:5 Kana wakamhanya nevetsoka, vakakunetesa, zvino ungakwikwidzana nemabhiza sei? Kana uchivimba nenyika yerunyararo, uchaita sei pakukukumuka kweJoridhani?
  19372. Jer 12:6 Nokuti kunyange hama dzako neimba yababa vako, naivo vakaita nekunyengera kwauri; hongu, ivo vakadanidzira shure kwako zvakazara; usavavimba, kunyange vakataura zvakanaka kwauri.
  19373. Jer 12:7 Ndasiya imba yangu, ndarasa nhaka yangu; ndapa mudikanwi wemweya weupenyu wangu muruoko rwevavengi vake.
  19374. Jer 12:8 Nhaka yangu yava kwandiri seshumba mudondo; yandibudisira inzwi rayo; naizvozvo ndakaivenga.
  19375. Jer 12:9 Nhaka yangu kwandiri igondo rine mavara here? Magora akaikomba kuirwisa. Uyai muunganidze zvikara zvose zvesango, muzviunze kuti zvidye.
  19376. Jer 12:10 Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemizambiringa, vakatsika-tsika mugove wangu pasi petsoka dzavo, vakaita mugove wangu unofadza uve renje riri dongo.
  19377. Jer 12:11 Vakauita dongo; unochemera kwandiri uri dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu anouisa pamoyo.
  19378. Jer 12:12 Vaparadzi vakasvika pamidunduru yose murenje; nokuti munondo waJehovha uchapedza kubva kumugumo wenyika kusvika kumugumo wenyika; hakuna nyama ichava nerugare.
  19379. Jer 12:13 Vakadzvara gorosi, asi vachakohwa minzwa; vakazvitambudza, asi havangavi nepundutso; uye muchanyara negoho guru renyu, nekuda kwekutsamwa kunopfuta kwaJehovha.
  19380. Jer 12:14 Anoreva seizvi Jehovha: Pamusoro pevekwangu vose vakaipa vanobata nhaka yandakagarisa vanhu vangu Israeri: Tarira, ndichavadzura kubva panyika yavo, uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.
  19381. Jer 12:15 Zvino zvichaitika shure kwekunge ndavadzura, ndichadzoka, uye ndichavanzwira tsitsi, ndigovadzosera, umwe neumwe kunhaka yake, uye umwe neumwe kunyika yekwake.
  19382. Jer 12:16 Zvino zvichaitika, kana vakashingairira kudzidza nzira dzevanhu vangu, kupika nezita rangu, neupenyu hwaJehovha, sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakwa pakati pevanhu vangu.
  19383. Jer 12:17 Asi kana vasingateereri, ndichadzura kwazvo nekuparadza rudzi irwo, anoreva Jehovha.
  19384. Jer 13:1 Anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Enda unozvitengera bhanhire remucheka, zvino uriise pachiuno chako, uye usariisa mumvura.
  19385. Jer 13:2 Zvino ndakatenga bhanhire zvichienderana neshoko raJehovha, ndokuriisa pachiuno changu.
  19386. Jer 13:3 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri rwechipiri, richiti:
  19387. Jer 13:4 Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, ugosimuka uende kuFurati, zvino urivigepo mumukaha wedombo.
  19388. Jer 13:5 Zvino ndakaenda, ndikanoriviga pana Furati, Jehovha sezvaakandiraira.
  19389. Jer 13:6 Zvino zvakaitika shure kwemazuva mazhinji, kuti Jehovha wakati kwandiri: Simuka uende kuFurati, ugotorapo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.
  19390. Jer 13:7 Zvino ndakaenda kuFurati, ndokuchera, ndokutora bhanhire kubva panzvimbo pandaiva ndariviga; zvino tarira, bhanhire raiva raora, raiva risingabatsiri chinhu.
  19391. Jer 13:8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  19392. Jer 13:9 Anoreva seizvi Jehovha: Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha nekuzvikudza kukuru kweJerusarema.
  19393. Jer 13:10 Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba muukukutu hwemoyo wavo, vakatevera vamwe vamwari kuvashumira nekuvanamata, vachava sebhanhire iri risingabatsiri chinhu.
  19394. Jer 13:11 Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chemunhu, saizvozvo ndaiva ndanamatidza imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri, anoreva Jehovha, kuti kwandiri vave vanhu uye vave zita uye vave rumbidzo uye vave kubwinya; asi havana kuteerera.
  19395. Jer 13:12 Naizvozvo uchataura shoko iri kwavari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe ichazadzwa newaini. Zvino vachati kwauri: Zvirokwazvo hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe ichazadzwa newaini?
  19396. Jer 13:13 Zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichazadza nekudhakwa vagari vose venyika ino, nemadzishe agere pachigaro cheushe chaDhavhidhi, nevapristi, nevaporofita, nevagari vose veJerusarema.
  19397. Jer 13:14 Zvino ndichavagumhanisa umwe kune umwe, nemadzibaba nevanakomana pamwe chete, anoreva Jehovha; handinganzwiri tsitsi uye handingaregeri uye handingavi nengoni, kuti ndisavaparadza.
  19398. Jer 13:15 Inzwai, uye ipai nzeve, regai kuzvikudza, nokuti Jehovha wataura.
  19399. Jer 13:16 Ipai Jehovha Mwari wenyu rumbidzo, asati auisa rima, netsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima; uye muchakarindira chiedza, asi achachiita kuva mumvuri werufu, achiite kuva rima gobvu.
  19400. Jer 13:17 Asi kana musingazvinzwi, mweya weupenyu wangu uchachema pakavanda nekuda kwekuzvikudza; zvino ziso rangu richachema zvinorwadza nekuyerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa.
  19401. Jer 13:18 Iti kuna mambo nekuna mambokadzi: Zvideredzei, garai pasi, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvichawira pasi, korona yerukudzo rwenyu.
  19402. Jer 13:19 Maguta ekuchamhembe achavharwa, uye hakuna achazarura; Judha achatapwa, iye wose, achatapwa chose.
  19403. Jer 13:20 Simudza meso ako, zvino uchavaona vanobva kumaodzanyemba. Riripi boka rawapiwa, makwai ako akanaka?
  19404. Jer 13:21 Uchatii kana achiita murango pamusoro pako, nokuti iwe wakavadzidzisa kuti vave madzimambo, vave musoro pamusoro pako? Marwadzo haangakubati here semukadzi ari kusununguka?
  19405. Jer 13:22 Zvino kana ukati mumoyo mako: Sei izvi zvandiwira? Nekuda kweuwandu hwezvakaipa zvako nguvo dzako dzafukurwa, zvitsitsinho zvako zvabatwa nekumanikidza.
  19406. Jer 13:23 MuEtiyopiya angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvo imwi munogona kuita zvakanaka, makadzidziswa kuita zvakaipa.
  19407. Jer 13:24 Naizvozvo ndichavaparadzira sehundi inopfuura iri mumhepo yerenje.
  19408. Jer 13:25 Uyu mujenya wako, mugove wezviyero zvako, kubva kwandiri, anoreva Jehovha, nokuti wakandikanganwa, ndokuvimba nenhema.
  19409. Jer 13:26 Naizvozvo neni ndichafukura nguvo dzako pamusoro pechiso chako, kuti kunyadzwa kwako kuonekere.
  19410. Jer 13:27 Ufeve hwako, nekupfeza kwako kukuru, kunyadza kweupombwe hwako pamidunduru musango; ndakaona zvinyangadzo zvako. Nhamo kwauri, Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvika rinhi?
  19411. Jer 14:1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya maererano nenyaya dzenzara huru.
  19412. Jer 14:2 Judha anochema; nemasuwo ake anoshaiwa simba; akasviba kusvika muvhu; uye kuchema kweJerusarema kwakwira.
  19413. Jer 14:3 Zvino vakuru vavo vanotuma vadiki vavo kumvura; vanosvika kumadziva, havasi kuwana mvura, vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina chinhu; vakanyara nekukanganiswa, uye vanofukidza musoro wavo.
  19414. Jer 14:4 Nokuti ivhu rakatsemuka, nokuti hakuna mvura panyika; varimi vanonyara, vanofukidza musoro wavo.
  19415. Jer 14:5 Zvirokwazvo, nondokadzi inoberekawo musango, ndokusiya, nokuti hakuna uswa.
  19416. Jer 14:6 Zvino mbizi dzinomira pamidunduru; dzinofembedza mhepo semabukanana; meso adzo aneta, nokuti hakuna uswa.
  19417. Jer 14:7 Kunyange zvivi zvedu zvichipupura kutipikisa, Jehovha, itai nekuda kwezita renyu; nokuti kudzokera-dzokera mashure kwedu kuzhinji; takakutadzirai.
  19418. Jer 14:8 Imwi Tariro yaIsraeri, Muponesi wake panguva yedambudziko, munoitirei semutorwa panyika, uye semufambi anotsaukira parutivi kuzorara usiku?
  19419. Jer 14:9 Munoitirei semunhu anovhunduka, seane simba asingagoni kuponesa? Zvakadaro imwi Jehovha muri pakati pedu, uye takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.
  19420. Jer 14:10 Anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevanhu ava: Saizvozvo vakada kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haavafariri; ikozvino acharangarira zvakaipa zvavo, nekushanyira zvivi zvavo.
  19421. Jer 14:11 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Usanyengeterera vanhu ava zvive zvakanaka kwavari.
  19422. Jer 14:12 Pavanotsanya handinganzwi kuchema kwavo, uye pavanopa chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nemunondo uye nenzara uye nehosha.
  19423. Jer 14:13 Zvino ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha, tarirai, vaporofita vanoti kwavari: Hamungaoni munondo, uye hamungavi nenzara; asi ndichakupai rugare rwechokwadi panzvimbo ino.
  19424. Jer 14:14 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; handina kuvatuma, uye handina kuvaraira, uye handina kutaura kwavari; vanokuporofitirai chiratidzo chenhema, nekuuka, nezvisina maturo, nekunyengera kwemoyo wavo.
  19425. Jer 14:15 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano nevaporofita vanoporofita muzita rangu, uye ini ndisina kuvatuma, zvakadaro vachiti: Munondo nenzara hazvingavi munyika ino: Nemunondo uye nenzara vaporofita avo vachapedzwa.
  19426. Jer 14:16 Nevanhu vavanoporofita vachakandwa munzira dzeJerusarema nekuda kwenzara nemunondo; uye havangavi neanovaviga, ivo, vakadzi vavo, nevanakomana vavo, nevakunda vavo; nokuti ndichadururira uipi hwavo pamusoro pavo.
  19427. Jer 14:17 Naizvozvo uchareva shoko iri kwavari: Meso angu ngaayerere misodzi siku nesikati, uye ngaarege kuguma, nokuti mhandara yemukunda wevanhu vangu yavhunika kuvhunika kukuru, warohwa chibhakera chinorwadza kwazvo.
  19428. Jer 14:18 Kana ndichibudira musango, zvino tarira vakaurawa nemunondo! Uye kana ndichipinda muguta, zvino tarira vanorwara nenzara! Nokuti vari vaviri muporofita nemupristi vanotenderera munyika asi vasingazivi.
  19429. Jer 14:19 Maramba Judha chose here? Mweya weupenyu wenyu wasema Ziyoni here? Matiroverei, uye pasina kurapika kwatiri? Takarindira rugare, asi hakuna chakanaka, nenguva yekurapiwa, asi tarirai, kuvhunduswa!
  19430. Jer 14:20 Jehovha, tinoziva uipi hwedu, kutadza kwemadzibaba edu; nokuti takakutadzirai.
  19431. Jer 14:21 Regai kutisema nekuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro cheushe chekukudzwa kwenyu; rangarirai, musaputsa sungano yenyu nesu.
  19432. Jer 14:22 Chiripo here pane zvisina maturo zvevahedheni zvingauisa mvura? Kana matenga angapa kupfunha here? Hamusi imwi Jehovha Mwari wedu here? Naizvozvo ndicharindira kwamuri; nokuti ndimwi makaita zvinhu izvi zvose.
  19433. Jer 15:1 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Kunyange kwanga kumire pamberi pangu Mozisi naSamueri, moyo wangu hausi kuvanhu ava; vadzinge pamberi pangu, uvarege vabude.
  19434. Jer 15:2 Zvino zvichaitika pavachati kwauri: Tichabuda tiendepi? Zvino uchavaudza kuti: Anoreva seizvi Jehovha: Vekufa vanoenda mukufa, uye vemunondo vanoenda kumunondo, uye venzara vanoenda kunzara, uye vekutapwa vanoenda kukutapwa.
  19435. Jer 15:3 Zvino ndichavatemera marudzi mana, anoreva Jehovha; munondo kuuraya, nembwa kukwekweredza, neshiri dzekumatenga nemhuka dzepanyika kudya nekuparadza.
  19436. Jer 15:4 Ndichavapa vave chinhu chinotyisa kuushe hwose hwepanyika, nekuda kwaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, nekuda kwezvaakaita paJerusarema.
  19437. Jer 15:5 Nokuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Uye ndiani achakuchema? Uye ndiani anotsauka kukubvunza mufaro?
  19438. Jer 15:6 Iwe wakandisiya, anoreva Jehovha, iwe wadzokera shure; naizvozvo ndichakutandavadzira ruoko rwangu, uye ndichakuparadza; ndaneta nekuzvidemba.
  19439. Jer 15:7 Zvino ndichavarudza nemusero pamasuwo epanyika; ndichavatorera vana, ndichaparadza vanhu vangu; havana kudzoka panzira dzavo.
  19440. Jer 15:8 Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha remakungwa; ndakauisa pamusoro pavo, pamusoro pamai vejaya, muparadzi pamasikati makuru; ndakamuwisira pamusoro pavo kamwe-kamwe, guta nezvityiso.
  19441. Jer 15:9 Iye wakabereka vanomwe, wapera simba, wafema kwekupedzisira; zuva rake ravira achiri masikati; wakanyadziswa nekusvodeswa; zvino vakasara vavo ndichavapa kumunondo pamberi pevavengi vavo, anoreva Jehovha.
  19442. Jer 15:10 Nhamo kwandiri, mai vangu, zvamakandibereka, munhu wenharo nemunhu wegakava panyika yose! Handina kupa chikwereti chinobereka, uye havana kundikweretesa nezvibereko; umwe neumwe wavo anondituka.
  19443. Jer 15:11 Jehovha akati: Zvirokwazvo zvichanakira vakasara vako; zvirokwazvo ndichakukumbirira pamuvengi panguva yakaipa nepanguva yekutambudzika.
  19444. Jer 15:12 Dare ringavhuna here dare rekumaodzanyemba kana ndarira?
  19445. Jer 15:13 Fuma yako nezvinokosha zvako ndichazvipa kukutapwa pasina mutengo, uye nekuda kwezvivi zvako zvose, nekumiganhu yako yose.
  19446. Jer 15:14 Uye ndichakupfuudza pamwe nevavengi vako munyika yausingazivi; nokuti moto wakabatidzwa mukutsamwa kwangu; uchapfuta pamusoro penyu.
  19447. Jer 15:15 Jehovha, imwi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vadzingiriri vangu; musandibvisa pamoyo murefu wenyu; zivai kuti nekuda kwenyu ndakatakura kushoorwa.
  19448. Jer 15:16 Mashoko enyu akawanikwa, uye ndakaadya; uye shoko renyu rakava mufaro kwandiri nekufara kukuru kwemoyo wangu; nokuti zita renyu rakadanwa pamusoro pangu, imwi Jehovha, Mwari wehondo.
  19449. Jer 15:17 Handina kugara paungano yevaseki, kana kufara; ndakagara ndoga nekuda kweruoko rwenyu, nokuti makandizadza nekutsamwa.
  19450. Jer 15:18 Sei kurwadziwa kwangu kuripo nekusingaperi, nevanga rangu risingarapiki? Raramba kupora. Muchava kwandiri zvirokwazvo semurevi wenhema here, mvura isingavimbiki?
  19451. Jer 15:19 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Kana ukadzoka, ndichakudzosa, uchamira pamberi pangu; uye kana ukabvisa zvakakosha pane zvisina maturo, uchava semuromo wangu; ivo ngavadzokere kwauri, asi iwe usadzokera kwavari.
  19452. Jer 15:20 Nokuti ndichakuita rusvingo rwendarira rwakakombwa kuvanhu ava; uye vachakurwisa, asi havangakukundi, nokuti ndinewe kukuponesa nekukununura, anoreva Jehovha.
  19453. Jer 15:21 Uye ndichakununura kubva muruoko rwevakaipa, uye ndichakudzikinura kubva muchanza chevanotyisa.
  19454. Jer 16:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  19455. Jer 16:2 Usazvitorera mukadzi, uye usava nevanakomana nevanasikana panzvimbo ino.
  19456. Jer 16:3 Nokuti anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevanakomana nepamusoro pevanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, nepamusoro pana mai vavo vakavabereka, nepamusoro pemadzibaba avo akavabereka panyika ino:
  19457. Jer 16:4 Vachafa nerufu rukuru rwunorwadza; havangachemwi, uye havangavigwi, vachava semupfudze pamusoro pechiso chenyika; uye vachapedzwa nemunondo uye nenzara; nezvitunha zvavo zvichava zvekudya zveshiri dzekumatenga nezvemhuka dzenyika.
  19458. Jer 16:5 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Usapinda muimba yekuchema, uye usaenda kunoungudza, uye usavachema; nokuti ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, anoreva Jehovha, rudo rweunyoro, nenyasha huru.
  19459. Jer 16:6 Zvino vakuru nevadiki vachafa panyika ino, havangavigwi; uye havangavachemi, uye havangazviguri, uye havangazvivevuri nekuda kwavo.
  19460. Jer 16:7 Uye havangavaguriri chingwa pakuchema kwavo, kuvanyaradza pamusoro pewakafa; uye havangavapi mukombe wenyaradzo kuti vanwe nekuda kwababa vavo uye nekuda kwamai vavo.
  19461. Jer 16:8 Newe usapinda muimba yemabiko, kuti ugare navo kuti udye nekunwa.
  19462. Jer 16:9 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, pameso penyu uye pamazuva enyu, inzwi remufaro, neinzwi rekupembera, inzwi rechikomba, neinzwi remwenga.
  19463. Jer 16:10 Zvino zvichaitika pauchaudza vanhu ava mashoko awa ose, zvino vachati kwauri: Sei Jehovha ataura chakaipa chose chikuru ichi kwatiri? Kana: Kuipa kwedu ndekupi? Kana: Chivi chedu chatakatadzira Jehovha Mwari wedu ndechipi?
  19464. Jer 16:11 Ipapo uchati kwavari: Nokuti madzibaba enyu akandisiya, anoreva Jehovha, uye vakafamba vachitevera vamwe vamwari, uye vakavashumira, uye vakavakotamira, ndokusiya ini, uye havana kuchengeta murairo wangu;
  19465. Jer 16:12 zvino imwi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba umwe neumwe achitevera ukukutu hwemoyo wake wakaipa, kuti asanditeerera.
  19466. Jer 16:13 Naizvozvo ndichakurasirai kunze kwenyika ino kuenda kunyika yamusingazivi, imwi nemadzibaba enyu; uye ikoko muchanoshumira vamwe vamwari masikati neusiku, kwandisingakunzwirii nyasha.
  19467. Jer 16:14 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, kuti hakuchazonzi: NaJehovha mupenyu, wakakwidza vana vaIsraeri kubva munyika yeEgipita;
  19468. Jer 16:15 asi: NaJehovha mupenyu, wakakwidza vana vaIsraeri kubva kunyika yekumaodzanyemba, uye kubva kunyika dzose kwaakanga avadzingira; nokuti ndichavadzosa kunyika yekwavo yandakapa madzibaba avo.
  19469. Jer 16:16 Tarirai, ndichatumira kunodana varedzi vazhinji vehove, anoreva Jehovha, zvino vachavaredza; uye shure kweizvozvo ndichatuma kuvavhimi vazhinji, zvino vachavavhima kubva pagomo ripi neripi uye kubva pachikomo chipi nechipi, uye kubva mumapako emabwe.
  19470. Jer 16:17 Nokuti meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzwa pachiso changu; nekuipa kwavo hakuna kuvigwa pameso angu.
  19471. Jer 16:18 Zvino kutanga ndichatsiva kuipa kwavo nechivi chavo kakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu; vakazadza nhaka yangu nezvitunha zvezvinosemesa nezvinyangadzo zvavo.
  19472. Jer 16:19 Imwi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, neutiziro hwangu pazuva rekutambudzika; marudzi achauya kwamuri kubva kumigumo yenyika, uye achati: Zvirokwazvo madzibaba edu akagara nhaka yenhema, zvisina maturo, musina batsiro mazviri.
  19473. Jer 16:20 Munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?
  19474. Jer 16:21 Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa nenguva ino, ndichavazivisa ruoko rwangu nesimba rangu; zvino vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.
  19475. Jer 17:1 Chivi chaJudha chakanyorwa nepeni yedare, nekwakapinza kwedhaimani; chakavezerwa pahwendefa yemoyo yavo, nepanyanga dzemaaritari enyu;
  19476. Jer 17:2 vana vavo vachiri kurangarira maaritari avo nematanda avo ekunamata nawo pamiti mitema pamidunduru yakakwirira.
  19477. Jer 17:3 Iwe gomo rangu musango, ndichapa fuma yako nezvinokosha zvako zvose kukutapwa, nzvimbo dzako dzakakwirira nekuda kwechivi kumiganhu yako yose.
  19478. Jer 17:4 Newe, iwe pachako, ucharega nhaka yako yandakakupa, uye ndichakuita ushandire vavengi vako munyika yausingazivi; nokuti imwi makabatidza moto pakutsamwa kwangu; uchapfuta kusvika rinhi narinhi.
  19479. Jer 17:5 Anoreva seizvi Jehovha: Wakatukwa murume anovimba nemunhu, uye anoita nyama ive simba rake, uye ane moyo unotsauka kubva pana Jehovha.
  19480. Jer 17:6 Nokuti achava segwenzi murenje, risingaoni kana chakanaka chichisvika, asi achagara nzvimbo dzakaoma murenje, munyika yemunyu isingagarwi.
  19481. Jer 17:7 Wakaropafadzwa murume anovimba naJehovha, uye chivimbo chake chiri Jehovha.
  19482. Jer 17:8 Nokuti achava semuti wakasimwa pamvura zhinji, uye unotandavadzira midzi yawo kurwizi, usingatyi panosvika kupisa, asi mashizha awo achava matema; uye haungarangariri pagore rekutsva, uye hauregi kubereka muchero.
  19483. Jer 17:9 Moyo unonyengera kupfuura zvose, uye wakaora chose; ndiani angauziva?
  19484. Jer 17:10 Ini Jehovha ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, iko kupa umwe neumwe zvinoenderana nenzira dzake, zvinoenderana nechibereko chezviito zvake.
  19485. Jer 17:11 Segwari rinogarira mazai risingachochonyi, wakadaro anounganidza fuma asi kwete mukururama; achaisiya pahafu yemazuva ake, uye pakuguma kwake achava benzi.
  19486. Jer 17:12 Chigaro cheushe chinobwinya chiri pakakwirira kubva pakutanga, inzvimbo yeimba yedu tsvene.
  19487. Jer 17:13 Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa; uye vanobva pandiri vachanyorwa muvhu; nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura zhinji mhenyu.
  19488. Jer 17:14 Ndiporesei Jehovha, zvino ndichaporeswa; ndiponesei, zvino ndichaponeswa; nokuti muri rumbidzo yangu.
  19489. Jer 17:15 Tarira, vanoti kwandiri: Shoko raJehovha riripi? Ngariuye ikozvino.
  19490. Jer 17:16 Kana ndiri ini, handina kukurumidza kuti ndisava mufudzi shure kwako, uye handina kushuva zuva renjodzi, imwi munoziva; zvakabuda mumuromo mangu zvaiva pamberi penyu.
  19491. Jer 17:17 Rega kuva chityiso kwandiri; imwi muri utiziro hwangu pazuva rechakaipa.
  19492. Jer 17:18 Ngavanyare vanondidzingirira, asi ini ngandirege kunyara; ivo ngavavhunduswe, asi ini ndirege kuvhunduswa; uisai pamusoro pavo zuva rechakaipa, uye muvaparadze nekuparadza kwakapetwa kaviri.
  19493. Jer 17:19 Anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Enda unomira pasuwo revana vevanhu, panopinda napo madzimambo aJudha, nepavanobuda napo, nepamasuwo ose eJerusarema;
  19494. Jer 17:20 zvino uti kwavari: Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha, naJudha wose, nevagari vose veJerusarema, vanopinda nepamasuwo awa.
  19495. Jer 17:21 Anoreva seizvi Jehovha: Zvichenjerei, zvino musatakura mutoro nezuva resabata, kana kuupinza nepamasuwo eJerusarema.
  19496. Jer 17:22 Uye musabudisa mutoro padzimba dzenyu nezuva resabata, uye musaita basa ripi neripi; asi itai zuva resabata rive dzvene, sezvandakaraira madzibaba enyu.
  19497. Jer 17:23 Asi havana kuteerera, uye havana kurerekera nzeve yavo; asi vakaomesa mutsipa wavo kuti varege kunzwa, uye kuti varege kugamuchira kurairwa.
  19498. Jer 17:24 Zvino zvichaitika, kana mukanditeerera nekushingaira, anoreva Jehovha, kuti musapinza mutoro nepamasuwo eguta rino nezuva resabata, asi mukaita zuva resabata rive dzvene, kuti musaita basa ripi neripi mariri;
  19499. Jer 17:25 ipapo pachapinda pamasuwo eguta rino madzimambo nemachinda anogara pachigaro cheushe chaDhavhidhi, vakatasva ngoro nemabhiza, ivo nemachinda avo, varume vaJudha, nevagari veJerusarema; uye guta rino richagara nekusingaperi.
  19500. Jer 17:26 Uye vachauya kubva kumaguta aJudha, nekunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nepanyika yaBhenjamini, nepamapani, nepamakomo, nekuchamhembe, vachiunza chipo chinopiswa, nechibairo, nechipo cheupfu, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, uye vachiunza chibairo chekuvonga kuimba yaJehovha.
  19501. Jer 17:27 Asi kana mukasanditeerera, kuita zuva resabata dzvene, kuti musatakura mutoro pamunopinda pamasuwo eJerusarema nezuva resabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuwo aro, uye uchapedza mizinda yeJerusarema, uye haungadzimwi.
  19502. Jer 18:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:
  19503. Jer 18:2 Simuka, uburukire kuimba yemuumbi; zvino ipapo ndichakunzwisa mashoko angu.
  19504. Jer 18:3 Zvino ndakaburukira kuimba yemuumbi; zvino tarira, waiita basa pamavhiri.
  19505. Jer 18:4 Zvino mudziyo waaiita nevhu waiva washatiswa muruoko rwemuumbi; zvino akaitazve nayo umwe mudziyo, sezvaiva zvakarurama pameso emuumbi kuita.
  19506. Jer 18:5 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  19507. Jer 18:6 Imba yaIsraeri, handingaiiti kwamuri sezvaita muumbi uyu here? anoreva Jehovha. Tarira, seivhu riri muruoko rwemuumbi, makadaro imwi muruoko rwangu, imwi imba yaIsraeri.
  19508. Jer 18:7 Nechinguvana ndichataura maererano nerudzi, uye maererano neushe, kudzura, nekuputsa, nekuparadza;
  19509. Jer 18:8 kana rudzi urwo, rwandataura kururwisa, rwukatendeuka pauipi hwarwo, ndichazvidemba pamusoro pechakaipa chandinofunga kuita kwarwuri.
  19510. Jer 18:9 Uye nechinguvana ndichataura maererano nerudzi, uye maererano neushe, kuvaka nekurwusima.
  19511. Jer 18:10 Kana rwukaita chakaipa pameso angu, kuti rwusateerera kuinzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pane zvakanaka zvandakareva kurwuitira zvakanaka.
  19512. Jer 18:11 Naizvozvo ikozvino, taura hako kuvanhu vaJudha nekuvagari veJerusarema, uti: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndinokuvakira zvakaipa, ndinokurongera zano; dzokai ikozvino umwe neumwe panzira yake yakaipa, uye muite nzira dzenyu nezviito zvenyu zvive zvakanaka.
  19513. Jer 18:12 Asi ivo vakati: Hapana tariro; asi tichafamba tichitevera mazano edu, uye tichaita umwe neumwe murangariro wemoyo wake wakaipa.
  19514. Jer 18:13 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Bvunzai zvino pakati pevahedheni: Ndiyani wakambonzwa zvinhu zvakadaro? Mhandara yekwaIsraeri yakaita chinhu chinotyisa zvikuru.
  19515. Jer 18:14 Munhu angasiya magada echando eRebhanoni anobva paibwe remusango here? Mvura zhinji isingazikanwi inotonhora inoyerera ichibva kumwe ingasiiwa here?
  19516. Jer 18:15 Nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvipfungaidzo zvinonhuhwira; uye vakazvigumbusa panzira dzavo, makwara ekare, kuti vafambe mumakwara, nzira isina kusimudzirwa.
  19517. Jer 18:16 Kuti vaite nyika yavo dongo, kuridzirwa murudzo nekusingaperi; umwe neumwe unopfuurapo achashamiswa, uye achadzungudza musoro wake.
  19518. Jer 18:17 Ndichavaparadzira semhepo yekumabvazuva pamberi pemuvengi; ndichavaratidza musana, uye kwete chiso, pazuva redambudziko ravo.
  19519. Jer 18:18 Zvino vakati: Uyai, timurangane mazano Jeremiya; nokuti murairo haungaparari kubva kumupristi, nekuraira kubva kune vakachenjera, kana shoko kubva kumuporofita. Uyai ngatimurove nerurimi, uye ngatisateerera kune ripi neripi remashoko ake.
  19520. Jer 18:19 Ndirangarirei Jehovha, zvino muteerere kuinzwi revanondikakavadza.
  19521. Jer 18:20 Chakaipa chinotsiviwa pachinzvimbo chechakanaka here? Nokuti vacherera mweya weupenyu wangu gomba. Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu kutaura zvakanaka pamusoro pavo, kuti mutsause kutsamwa kwenyu kubva kwavari.
  19522. Jer 18:21 Naizvozvo ipai vana vavo kunzara, uye mudurure ropa ravo nesimba remunondo, uye vakadzi vavo ngavafirwe nevana vavo, uye vave chirikadzi, uye varume vavo ngavaurawe norufu, majaya avo acharohwa nemunondo pahondo.
  19523. Jer 18:22 Kuchema ngakunzwikwe kubva padzimba dzavo, pamuchauisa pakarepo boka revarwi pamusoro pavo, nokuti vakachera gomba kunditora, nekuvanzira tsoka dzangu misungo.
  19524. Jer 18:23 Zvakadaro imwi Jehovha munoziva zano ravo rose vachindirwisa kundiuraya; musaregerera kuipa kwavo, uye musadzima chivi chavo kubva pachiso chenyu, asi ngavapidigurwe pamberi penyu; batai navo panguva yekutsamwa kwenyu.
  19525. Jer 19:1 Anoreva seizvi Jehovha: Enda unotenga chirongo chakaumbwa chemuumbi wehari, uye kubva kuvakuru vevanhu, uye kubva kuvakuru vevapristi.
  19526. Jer 19:2 Zvino ubude uende kumupata wemwanakomana waHinomi, uri pakupinda pasuwo rezvaenga zvehari, zvino uparidzirepo mashoko andichakuudza.
  19527. Jer 19:3 Uye uti: Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha nevagari veJerusarema. Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichauisa chakaipa pamusoro penzvimbo ino, zvekuti nzeve dzeupi neupi anochinzwa dzichaunga.
  19528. Jer 19:4 Nokuti vakandisiya, vakaita nzvimbo iyi ive yevemarudzi, uye vakapisirapo zvipfungaidzo zvinonhuhwira kune vamwe vamwari, vavasina kuziva, ivo, nemadzibaba avo, nemadzimambo aJudha; uye vakazadza nzvimbo ino neropa revasina mhosva.
  19529. Jer 19:5 Vakavakawo nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapise vanakomana vavo nemoto, kuva zvipo zvinopiswa kuna Bhaari; zvandisina kuraira, zvandisina kutaura, zvisina kupinda mumoyo mangu.
  19530. Jer 19:6 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, apo nzvimbo ino paisingazonzi Tofeti, kana Mupata wemwanakomana waHinomi, asi Mupata weKuurawa.
  19531. Jer 19:7 Zvino ndichaparadza zano raJudha neJerusarema panzvimbo iyi; uye ndichavawisisa nemunondo pamberi pevavengi vavo, uye neruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo, uye zvitunha zvavo ndichazvipa zvive kudya kweshiri dzekumatenga nekwemhuka dzepanyika.
  19532. Jer 19:8 Zvino ndichaita guta iri dongo nechinoridzirwa muridzo; umwe neumwe anopfuura nemariri achashamiswa agoridza muridzo nekuda kwematambudziko aro ose.
  19533. Jer 19:9 Zvino ndichavadyisa nyama yevanakomana vavo, nenyama yevakunda vavo, uye vachadya umwe neumwe nyama yeshamwari yake, pakukombwa nepakumanikidzwa, apo vavengi vavo, ivo vanotsvaka upenyu hwavo pavachavamanikidza.
  19534. Jer 19:10 Ipapo uchaputsa chirongo pamberi pevarume vakaenda newe.
  19535. Jer 19:11 Zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Saizvozvo ndichaputsa vanhu ava neguta iri, seanoputsa mudziyo wemuumbi, usingazogoni kugadzirwazve; zvino vachaviga vakafa paTofeti, nokuti hakuchazovi nenzvimbo yekuviga.
  19536. Jer 19:12 Ndichaitira nzvimbo iyi seizvi, anoreva Jehovha, nekuvagari vayo, nekuita guta iri seTofeti.
  19537. Jer 19:13 Zvino dzimba dzeJerusarema nedzimba dzemadzimambo aJudha dzakasvibiswa senzvimbo yeTofeti, nekuda kwedzimba dzose dzavakapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pematenga adzo kuhondo yose yekumatenga, nekudururira vamwe vamwari zvipo zvinodururwa.
  19538. Jer 19:14 Ipapo wakauya Jeremiya kubva kuTofeti, iko Jehovha kwaaiva amutuma kunoporofita, ndokumira pachivanze cheimba yaJehovha, ndokuti kuvanhu vose:
  19539. Jer 19:15 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichauisa pamusoro peguta rino nepamusoro pemisha yaro yose chakaipa chose chandakataura pamusoro paro; nokuti vakaomesa mutsipa wavo, kuti varege kunzwa mashoko angu.
  19540. Jer 20:1 Zvino Pashuri mwanakomana waImeri mupristi, waivawo mutariri mukuru muimba yaJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
  19541. Jer 20:2 Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, ndokumuisa mumatanda aiva pasuwo rekumusoro raBhenjamini, raiva muimba yaJehovha.
  19542. Jer 20:3 Zvino zvakaitika chifume kuti Pashuri wakabudisa Jeremiya kubva mumatanda. Jeremiya ndokuti kwaari: Jehovha haana kukutumidza zita rako Pashuri, asi Magori-Misabhibhi.
  19543. Jer 20:4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichakuita chinhu chinotyisa kwauri pachako, nekushamwari dzako dzose; uye vachawa nemunondo wevavengi vavo, uye meso ako achaona; uye ndichapa Judha wose muruoko rwamambo weBhabhironi, uye iye achavatapira kuBhabhironi, nekuvauraya nemunondo.
  19544. Jer 20:5 Uye ndichaisa fuma yose yeguta iri, nebasa raro rose, nezvinokosha zvaro zvose, nenhumbi dzose dzemadzimambo eJudha, ndichapa muruoko rwevavengi vavo; ivo vachavapamba ndokuvatora ndokuvauisa kuBhabhironi.
  19545. Jer 20:6 Newe Pashuri, nevose vagari veimba yako, muchaenda muutapwa; uye uchauya kuBhabhironi, ndokufako, ndokuvigwako, iwe neshamwari dzako dzose vawakaporofitera nhema.
  19546. Jer 20:7 Jehovha, makandigombedzera, zvino ndakagombedzereka; mune simba paneni, makakunda; ndiri mukusekwa zuva rose; umwe neumwe anondinyomba.
  19547. Jer 20:8 Nokuti pose pandinotaura, ndinochema, ndinodanidzira mhirizhonga nemharadzo, nokuti shoko raJehovha rakaitwa chinoshoorwa kwandiri, nechiseko zuva rose.
  19548. Jer 20:9 Zvino ndakati: Handichamurangariri, uye handichataurizve muzita rake. Asi mumoyo mangu maiva semoto unopfuta wakapfigirwa mumapfupa angu, uye ndaiva ndaneta nekuzvidzora, uye ndaiva ndisingagoni.
  19549. Jer 20:10 Nokuti ndakanzwa kunyeya kwevazhinji, kutya kumativi ose, vachiti: Revai, nesu tichazvireva. Vose vane rugare neni vakarindira kugumburwa kwangu, vachiti: Zvimwe achakwezvewa, tigomukunda, uye tichatsiva tsvivo yedu kwaari.
  19550. Jer 20:11 Asi Jehovha aneni semhare inotyisa; naizvozvo vadzingiriri vangu vachagumburwa, uye havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havangabudiriri; chinyadzo chekusingaperi chisingazokanganikwi.
  19551. Jer 20:12 Asi imwi Jehovha wehondo, munoedza wakarurama, munoona itsvo nemoyo, ngandione tsivo yenyu kwavari; nokuti ndakazarura nyaya yangu kwamuri.
  19552. Jer 20:13 Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakanunura mweya weupenyu weanoshaiwa kubva paruoko rwevaiti vezvakaipa.
  19553. Jer 20:14 Ngaritukwe zuva randakaberekwa naro; zuva mai vangu ravakandibereka naro ngarirege kuropafadzwa.
  19554. Jer 20:15 Ngaatukwe munhu anouisa mashoko kuna baba vangu, achiti: Waberekerwa mwanakomana; achivafadza kwazvo.
  19555. Jer 20:16 Zvino munhu uyo ngaave semaguta Jehovha aakapidigura, akasazvidemba; uye ngaanzwe kuchema mangwanani nekudanidzira pamasikati makuru.
  19556. Jer 20:17 Nokuti haana kundiuraya kubva muchizvaro, namai vangu vakava guva rangu kwandiri, nechizvaro chake chirambe chakazvitakura.
  19557. Jer 20:18 Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nekuchema, kuti mazuva angu apere pakunyadziswa?
  19558. Jer 21:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, mambo Zedhekia paakatuma kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, achiti:
  19559. Jer 21:2 Tibvunzire hako kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu; zvimwe Jehovha angatiitira zvinoenderana nemabasa ake anoshamisa, kuti akwire kubva kwatiri.
  19560. Jer 21:3 Zvino Jeremiya wakati kwavari: Muchareva seizvi kuna Zedhekia:
  19561. Jer 21:4 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichashandura zvombo zvehondo zviri muruoko rwenyu, zvamunorwisa nazvo mambo weBhabhironi nevaKaradhiya vanokukombai kunze kwerusvingo; uye ndichavaunganidza pakati peguta iri.
  19562. Jer 21:5 Zvino ini ndichakurwisa neruoko rwakatandavadzwa, uye nechanza chine simba, uye mukutsamwa nemukupfuta uye nehasha huru.
  19563. Jer 21:6 Zvino ndicharova vagari vemuguta iri, munhu pamwe nechipfuwo; vachafa nekuda kwedenda guru.
  19564. Jer 21:7 Zvino pashure peizvi, anoreva Jehovha, ndichapa Zedhekia mambo waJudha, nevaranda vake, nevanhu, nevakasara muguta iri padenda, pamunondo, nepanzara, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nemuruoko rwevavengi vavo, nemuruoko rweavo vanotsvaka upenyu hwavo; uye achavarova nekwakapinza kwemunondo; haangavaregi, uye haangavanzwiri tsitsi, uye haangavanzwiri ngoni.
  19565. Jer 21:8 Zvino uchati kuvanhu ava: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndakaisa pamberi pako nzira yeupenyu nenzira yerufu.
  19566. Jer 21:9 Anosara muguta iri achafa nemunondo, uye nenzara, uye nedenda; asi anobuda ndokuwira kuvaKaradhiya vanokukombai, achararama, neupenyu hwake huchava chakapambiwa kwaari.
  19567. Jer 21:10 Nokuti ndakaisa chiso changu kurwisana neguta iri nechakaipa, uye kwete nechakanaka, anoreva Jehovha; richapiwa muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa nemoto.
  19568. Jer 21:11 Zvino maererano neimba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha.
  19569. Jer 21:12 Imwi imba yaDhavhidhi, anoreva seizvi Jehovha: Tongai mutongo mangwanani, uye nunurai wakatapwa kubva muruoko rwemumanikidzi, zvimwe kupfuta kwangu kungabuda semoto ndokupisa zvekuti hapana angadzima nekuda kwekuipa kwezviito zvenyu.
  19570. Jer 21:13 Tarira, ndinorwisana newe, iwe mugarikadzi wemumupata, dombo remubani, anoreva Jehovha; imwi munoti: Ndiyani achaburuka kutirwisa? Kana ndiyani angapinda panzvimbo dzedu dzekugara?
  19571. Jer 21:14 Asi ndichakurangai zvichienderana nezvibereko zvezviito zvenyu, anoreva Jehovha; uye ndichabatidza moto musango raro, uye uchapedza zvinhu zvose zvakaupoteredza.
  19572. Jer 22:1 Anoreva seizvi Jehovha: Burukira [ku]imba yamambo waJudha, ugonotaurako shoko iri.
  19573. Jer 22:2 Zvino uti: Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pamusoro pechigaro cheushe chaDhavhidhi, iwe nevaranda vako nevanhu vako vanopinda nepamasuwo awa.
  19574. Jer 22:3 Anoreva seizvi Jehovha: Itai mutongo nekururamisa, uye nunurai wakatapwa kubva muruoko rwemumanikidzi, uye musaita chakaipa, musaitira mhirizhonga mutorwa, nherera, kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo iyi.
  19575. Jer 22:4 Nokuti kana muchiita chinhu ichi zvirokwazvo, ipapo pachapinda nepamasuwo eimba iyi madzimambo anogarira Dhavhidhi pachigaro chake cheushe, vakatasva dzingoro nemabhiza, iye nevaranda vake nevanhu vake.
  19576. Jer 22:5 Asi kana musingateereri mashoko awa, ndinopika neni, anoreva Jehovha, kuti imba iyi ichava dongo.
  19577. Jer 22:6 Nokuti anoreva seizvi Jehovha maererano neimba yamambo waJudha: Iwe Giriyadhi kwandiri, musoro weRebhanoni; zvirokwazvo ndichakuita renje, maguta asingagarwi.
  19578. Jer 22:7 Nokuti ndichakugadzirira vaparadzi, umwe neumwe ane zvombo zvake; uye vachatema misidhari yako yakasarudzwa, ndokukandira mumoto.
  19579. Jer 22:8 Zvino marudzi mazhinji achapfuura paguta iri, zvino achati, umwe neumwe kune wekwake: Jehovha wakaitirei zvakadai kuguta iri guru?
  19580. Jer 22:9 Ipapo vachati: Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, ndokunamata vamwe vamwari, nekuvashumira.
  19581. Jer 22:10 Musachema wakafa, uye musamuungudzira; chemerai zvinorwadza uyo anoenda, nokuti haachadzokizve, kana kuzoona nyika yechizvarigo chake.
  19582. Jer 22:11 Nokuti anoreva seizvi Jehovha maererano naSharumi mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, wakatonga pachinzvimbo chaJosiya baba vake, wakabuda panzvimbo iyi: Haachazodzokizve pano;
  19583. Jer 22:12 asi achafira kunzvimbo kwavakamutapira, uye haachazoonizve nyika iyi.
  19584. Jer 22:13 Nhamo kune anovaka imba yake nekusarurama, nemakamuri ake ekumusoro nekusaruramisira, achishandisa simba rewekwake pasina mubairo, uye asingamupi mubairo wake;
  19585. Jer 22:14 anoti: Ndichazvivakira imba hurusa nemakamuri ekumusoro akafaranuka, achizvitemera mahwindo; ndokufukidzwa nemusidhari, nekudzurwa nezvitsvuku.
  19586. Jer 22:15 Uchatonga here, nokuti unopisa hasha mumusidhari here? Baba vako havana kudya nekunwa here, ndokuita mutongo nekururamisira, ipapo zvikavanakira?
  19587. Jer 22:16 Vaitonga nyaya yemurombo neanoshaiwa, ipapo zvikava zvakanaka. Uku kwaiva kusiri kundiziva here? anoreva Jehovha.
  19588. Jer 22:17 Asi meso ako nemoyo wako hazvisi pane zvimwe kunze kwepakuchiva kwako, nepakuteura ropa risina mhosva, nepakumanikidza, nepamhirizhonga, kuzviita.
  19589. Jer 22:18 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano naJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha: Havangamuchemi vachiti: Haiwa, munin’ina wangu! Kana: Haiwa, hanzvadzi! Havangamuchemi vachiti: Haiwa, ishe! Kana: Haiwa, ukuru hwake!
  19590. Jer 22:19 Achavigwa sekuvigwa kwembongoro, achakweverwa nekurasiwa kunze kwemasuwo eJerusarema.
  19591. Jer 22:20 Kwira kuRebhanoni, uye danidzira; uye simudza inzwi rako muBhashani; uye danidzira uri paAbharimi; nokuti vadikanwi vako vose vaparadzwa.
  19592. Jer 22:21 Ndakataura newe pakutambarara kwako; wakati: Haudi kunzwa. Iyi yakava tsika yako kubva paudiki hwako, kuti hauna kuteerera kuinzwi rangu.
  19593. Jer 22:22 Mhepo ichadya vafudzi vako vose, nevadikanwi vako vachaenda muutapwa; zvirokwazvo ipapo uchanyadziswa nekukanganiswa nekuda kweuipi hwako hwose.
  19594. Jer 22:23 Iwe, mugari wemuRebhanoni, unoita dendere rako mumisidhari, uchanzwisa tsitsi sei kana marwadzo achisvika pamusoro pako, kurwadziwa kwakaita semukadzi ari kusununguka!
  19595. Jer 22:24 Neupenyu hwangu, anoreva Jehovha, kunyange Konia mwanakomana waJehoyakimu mambo waJudha aiva chidhindo paruoko rwangu rwerudyi, zvakadaro ndaikubvarura ipapo.
  19596. Jer 22:25 Zvino ndichakupa muruoko rwevanotsvaka upenyu hwako, nemuruoko rwevechiso chaunotya, imo muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nemuruoko rwevaKaradhiya.
  19597. Jer 22:26 Zvino ndichakukandira kunze, pamwe namai vako vakakubereka, mune imwe nyika, mausina kuberekerwa, uye muchafirapo.
  19598. Jer 22:27 Asi kunyika yavanosimudzira moyo kudzokerako, havangadzokeriko.
  19599. Jer 22:28 Munhu uyu Konia chifananidzo chinozvidzwa chakaputsika here? Mudziyo usingafadzi here? Vakakandirwei panze, iye nechizvarwa chake, uye vakandirwa panyika yavasingazivi?
  19600. Jer 22:29 Nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.
  19601. Jer 22:30 Anoreva seizvi Jehovha: Nyora munhu uyu kuti haana vana, murume asingazobudiriri pamazuva ake, nokuti hakuna munhu wechizvarwa chake achabudirira, agere pachigaro cheushe chaDhavhidhi, achiri kutonga kwaJudha.
  19602. Jer 23:1 Nhamo kuvafudzi vanoparadza nekuparadzira makwai emafuro angu! anoreva Jehovha.
  19603. Jer 23:2 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri, kupokana nevafudzi vanofudza vanhu vangu: Imwi makaparadzira makwai angu, uye makaadzinga, uye hamuna kuashanyira; tarirai, ndichatsiva pamusoro penyu chakaipa chezviito zvenyu, anoreva Jehovha.
  19604. Jer 23:3 Zvino ini ndichaunganidza vakasara vemakwai angu kubuda kunyika dzose dzandakavadzingirako, uye ndichavadzosa kudanga ravo; uye vachabereka ndokuwanda.
  19605. Jer 23:4 Zvino ndichamutsa pamusoro pavo vafudzi vachavafudza, uye havangazotyizve, uye havangavhunduswi, uye havangashaiwi, anoreva Jehovha.
  19606. Jer 23:5 Tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, pandichasimudzira Dhavhidhi bukira rakarurama; uye mambo achatonga nekubudirira, uye achaita mutongo nekururamisira panyika.
  19607. Jer 23:6 Pamazuva ake Judha achaponeswa, naIsraeri achagara akachengetedzeka; uye iri izita rake raachadanwa naro: Jehovha Kururama Kwedu.
  19608. Jer 23:7 Naizvozvo, tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, pavasingazotizve: NaJehovha mupenyu, wakakwidza vana vaIsraeri kubuda munyika yeEgipita.
  19609. Jer 23:8 Asi: NaJehovha mupenyu, wakakwidza uye wakatungamirira chizvarwa cheimba yaIsraeri kubuda munyika yekumaodzanyemba, nekunyika dzose kwandakavadzingirapo; uye vachagara munyika yavo.
  19610. Jer 23:9 Maererano nevaporofita, moyo wangu wakaputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera; ndakaita sechidhakwa, uye semurume wakundwa newaini, nekuda kwaJehovha uye nekuda kwemashoko ake matsvene.
  19611. Jer 23:10 Nokuti nyika izere nemhombwe; nokuti nekuda kwekutukwa nyika inochema; mafuro erenje aoma, uye mufambiro wavo wakaipa, uye simba ravo harina kururama.
  19612. Jer 23:11 Nokuti muporofita nemupristi vose havatyi Mwari; hongu mumba mangu ndakawana uipi hwavo, anoreva Jehovha.
  19613. Jer 23:12 Naizvozvo nzira yavo ichava kwavari seinotedza murima; vachatinhwa, ndokuwira mairi; nokuti ndichavauisira chakaipa, iro gore rekushanyirwa kwavo, anoreva Jehovha.
  19614. Jer 23:13 Uye ndakaona unyangadzi kuvaporofita veSamariya; vakaporofita naBhaari, vakatsausa vanhu vangu Israeri.
  19615. Jer 23:14 Asi kuvaporofita veJerusarema ndakaona chinhu chinotyisa; vanoita upombwe, uye vanofamba munhema, vanosimbisawo maoko evanoita zvakaipa, kuti vasatendeuka umwe neumwe pakuipa kwake; vose kwandiri vakaita seSodhoma, nevagari varo seGomora.
  19616. Jer 23:15 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo maererano nevaporofita: Tarirai, ndichavadyisa gavakava, uye ndichavanwisa mvura yenduru; nokuti kusatya Jehovha kwakabuda kuvaporofita veJerusarema kunyika yose.
  19617. Jer 23:16 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Musateerera kumashoko evaporofita vanoporofita kwamuri; vanokuitai musina maturo; vanotaura muono wemoyo wavo, kwete kubva mumuromo maJehovha.
  19618. Jer 23:17 Vanoramba vachiti kune vanondizvidza: Jehovha wati: Muchava nerugare. Uye vanoti kune umwe neumwe anofamba mukuoma kwemoyo wake: Chakaipa hachingakuwirii.
  19619. Jer 23:18 Nokuti ndiani wakamira pazano raJehovha, uye wakaona nekunzwa shoko rake? Ndiani wakateerera shoko rake kuti anzwe?
  19620. Jer 23:19 Tarirai, dutu remhepo raJehovha, hasha dzabuda, zvirokwazvo chamupupuri chinorwadza; chichawira nekurwadzwa pamusoro pemusoro wevakaipa.
  19621. Jer 23:20 Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvika azviita, uye kusvika asimbisa ndangariro dzemoyo wake; pamazuva ekupedzisira muchazvinzwisisa nekunzwisisa.
  19622. Jer 23:21 Handina kutuma vaporofita ava, zvakadaro vakamhanya; handina kutaura navo, zvakadaro vakaporofita.
  19623. Jer 23:22 Asi dai vaiva vamira pazano rangu, dai vakanzwisa vanhu vangu mashoko angu, dai vakavatendeusa panzira yavo yakaipa, nepakuipa kwezviito zvavo.
  19624. Jer 23:23 Ndiri Mwari ari pedo here, anoreva Jehovha, uye kwete Mwari ari kure?
  19625. Jer 23:24 Pane munhu angavanda panzvimbo dzakavanda wandisingazooni ini here? anoreva Jehovha. Handizadzi matenga nenyika here? anoreva Jehovha.
  19626. Jer 23:25 Ndakanzwa vaporofita zvavakareva, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti: Ndarota, ndarota.
  19627. Jer 23:26 Kusvika rinhi izvi zviri mumoyo mevaporofita vanoporofita nhema? Hongu, vaporofita vekunyengera kwemoyo wavo.
  19628. Jer 23:27 Vanofunga kukanganwisa vanhu vangu zita rangu nekurota kwavo kwavanoudza umwe neumwe wekwake; madzibaba avo sezvaakakanganwa zita rangu nekuda kwaBhaari.
  19629. Jer 23:28 Muporofita ane chiroto ngaarondedzere chiroto, neane shoko rangu ngaataure shoko rangu nekutendeka. Mashanga chii pazviyo? anoreva Jehovha.
  19630. Jer 23:29 Shoko rangu harina kudaro here, semoto? anoreva Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here?
  19631. Jer 23:30 Naizvozvo, tarira, ndinopokana nevaporofita, anoreva Jehovha, vanoba mashoko angu, umwe neumwe kune umwe wake.
  19632. Jer 23:31 Tarira, ndinopokana nevaporofita, anoreva Jehovha, vanoshandisa ndimi dzavo, ndokuporofita vachiti: Wati.
  19633. Jer 23:32 Tarira, ndinopokana nevanoporofita hope dzenhema, anoreva Jehovha, ndokudzirondedzera, ndokutsausa vanhu vangu nenhema dzavo, uye nekushaya hanya kwavo; zvakadaro ini handina kuvatuma, uye handina kuvaraira, naizvozvo havangabatsiri vanhu ava zvachose, anoreva Jehovha.
  19634. Jer 23:33 Uye vanhu ava kana muporofita kana mupristi pavachakubvunza vachiti: Mutoro waJehovha chii? Ipapo uchati kwavari: Mutoro rudzii? Kuti ndichakusiyai, anoreva Jehovha.
  19635. Jer 23:34 Maererano nemuporofita, nemupristi, nevanhu, vachati: Mutoro waJehovha. Ndicharangawo munhu uyo neimba yake.
  19636. Jer 23:35 Muchareva seizvi umwe neumwe kune umwe wake, uye umwe neumwe kuhama yake: Jehovha wakapindurei? Uye Jehovha wakataurei?
  19637. Jer 23:36 Asi hamuchazorevizve mutoro waJehovha, nokuti shoko remunhu umwe neumwe richava mutoro, nokuti makatsausa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha wehondo, Mwari wedu.
  19638. Jer 23:37 Muchareva seizvi kumuporofita: Jehovha wakakupindurai chii? Uye Jehovha wakataurei?
  19639. Jer 23:38 Asi kana muchiti: Mutoro waJehovha; naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Nokuti munotaura shoko iri muchiti: Mutoro waJehovha; naizvozvo ndatuma kwamuri ndichiti: Regai kuti: Mutoro waJehovha.
  19640. Jer 23:39 Naizvozvo tarirai, ini ndichakukanganwai chose, ndichakusiyai imwi neguta randakakupai imwi nemadzibaba enyu, mubve pachiso changu.
  19641. Jer 23:40 Zvino ndichaunza kushoorwa kwekusingaperi pamusoro penyu, nechinyadzo charinhi narinhi, zvisingazokanganikwi.
  19642. Jer 24:1 Jehovha wakandiratidza, zvino tarira, matengu maviri emaonde akaiswa pamberi petembere yaJehovha, shure kwekunge Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi atapa Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu, mambo waJudha, nemachinda aJudha, nevavezi, nevapfuri, paJerusarema, akavaisa kuBhabhironi.
  19643. Jer 24:2 Imwe tswanda yaiva nemaonde akanaka kwazvo, semaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yaiva nemaonde akaipa kwazvo, asingadyiki nekuda kwekuipa.
  19644. Jer 24:3 Ipapo Jehovha wakati kwandiri: Unoonei Jeremiya? Ini ndokuti: Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, neakaipa, akaipa kwazvo, asingadyiki nekuda kwekuipa.
  19645. Jer 24:4 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri zvekare richiti:
  19646. Jer 24:5 Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri: Sezvakaita maonde awa akanaka, saizvozvo ndicharangarira vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panzvimbo ino vaende kunyika yevaKaradhiya, zvive zvakanaka.
  19647. Jer 24:6 Nokuti ndichaisa ziso rangu pamusoro pavo pane zvakanaka, uye ndichavadzosa kunyika iyi, uye ndichavavaka, uye kwete kuvakoromora, uye ndichavasima, uye kwete kuvadzura.
  19648. Jer 24:7 Zvino ndichavapa moyo wekundiziva, kuti ndiri Jehovha; uye vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nemoyo wavo wose.
  19649. Jer 24:8 Uye semaonde akaipa, asingadyiki nekuda kwekuipa, zvirokwazvo, anoreva seizvi Jehovha, saizvozvo ndichapa Zedhekia mambo waJudha, nemachinda ake, nevakasara veJerusarema, vakasara panyika ino, nevagere panyika yeEgipita.
  19650. Jer 24:9 Zvino ndichavapa kuti vave chityiso paushe hwose hwepanyika, kuvarwadzisa, chishoorwa, neshumo, chiseko, nechakatukwa, panzvimbo dzose pandichavadzingira.
  19651. Jer 24:10 Zvino ndichatuma pakati pavo munondo, nzara, nehosha, kusvika vapera munyika yandakavapa ivo nemadzibaba avo.
  19652. Jer 25:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya maererano nevanhu vose vaJudha, mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha; raiva gore rekutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi;
  19653. Jer 25:2 iro Jeremiya muporofita raakataura kuvanhu vose vaJudha nekuvagari vose veJerusarema achiti:
  19654. Jer 25:3 Kubva pagore regumi nematatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, kusvikawo pazuva rino, ava makore makumi maviri nematatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri; uye ndakataura kwamuri, ndichimuka mangwanani ndokutaura, asi hamuna kuteerera.
  19655. Jer 25:4 Zvino Jehovha wakakutumirai varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani ndokutuma, asi hamuna kuteerera, uye hamuna kurerekera nzeve yenyu kuti munzwe;
  19656. Jer 25:5 vachiti: Dzokai ikozvino umwe neumwe panzira yake yakaipa, nepakuipa kwemabasa enyu, mugogara munyika Jehovha yaakapa kwamuri nekumadzibaba enyu, kubva rinhi narinhi kusvika rinhi narinhi;
  19657. Jer 25:6 uye musatevera vamwe vamwari kuvashumira nekuvanamata, uye musanditsamwisa nebasa remaoko enyu, kuti ndirege kukuitirai zvakaipa.
  19658. Jer 25:7 Asi hamuna kunditeerera, anoreva Jehovha, kuti munditsamwise nemabasa emaoko enyu, muitirwe zvakaipa.
  19659. Jer 25:8 Naizvozvo, anoreva seizvi Jehovha wehondo: Zvamusina kunzwa mashoko angu,
  19660. Jer 25:9 tarirai, ndichatuma, ndiuise marudzi ose ekumaodzanyemba, anoreva Jehovha, nekuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauise pamusoro penyika iyi, nepamusoro pevageremo, nepamusoro pemarudzi awa ose akaipoteredza; ndichavaparadza chose, nekuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, nematongo nekusingaperi.
  19661. Jer 25:10 Ndichaparadzawo kwavari inzwi rekuseka, nenzwi rekufara, inzwi rechikomba, nenzwi remwenga, inzwi remakuyo, nechiedza chemwenje.
  19662. Jer 25:11 Uye nyika iyi yose richava dongo, chishamiso; uye marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore makumi manomwe.
  19663. Jer 25:12 Zvino zvichaitika kana makore makumi manomwe apera, anoreva Jehovha, ndicharova mambo weBhabhironi nerudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yevaKaradhiya; uye ndichaiita matongo nekusingaperi.
  19664. Jer 25:13 Uye ndichauisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri, Jeremiya zvaakaporofita pamusoro pemarudzi ose.
  19665. Jer 25:14 Nokuti marudzi mazhinji nemadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda; uye ndichavaripira zvakaenzana nekubata kwavo nezvakaenzana nebasa remaoko avo.
  19666. Jer 25:15 Nokuti anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri kwandiri: Tora mukombe wewaini yekutsamwa uku paruoko rwangu, uinwise marudzi ose andinokutumira kwaari.
  19667. Jer 25:16 Zvino vachanwa, ndokudzedzereswa ndokupenga, nekuda kwemunondo wandichatuma pakati pavo.
  19668. Jer 25:17 Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose Jehovha aakandituma kwaari;
  19669. Jer 25:18 Jerusarema, nemaguta aJudha, nemadzimambo awo, machinda awo, kuvaita matongo, chishamiso, chinhu chinoridzirwa muridzo, nechakatukwa, sepazuva rino;
  19670. Jer 25:19 Farao mambo weEgipita, nevaranda vake, nemachinda ake, nevanhu vake vose;
  19671. Jer 25:20 nemarudzi ose akavhengana, nemadzimambo ose enyika yeUzi, nemadzimambo ose enyika yevaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, nevakasara veAshidhodhi;
  19672. Jer 25:21 Edhomu, naMoabhu, nevana vaAmoni;
  19673. Jer 25:22 nemadzimambo ose eTire, nemadzimambo ose eSidhoni, nemadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;
  19674. Jer 25:23 neDhedhani, neTema, neBhuzi, nevose vakaveurwa kumakona;
  19675. Jer 25:24 nemadzimambo ose eArabhiya, nemadzimambo ose emarudzi akavhengana vanogara murenje;
  19676. Jer 25:25 nemadzimambo ose eZimiri, nemadzimambo ose eEramu, nemadzimambo ose eMedhi;
  19677. Jer 25:26 nemadzimambo ose ekumaodzanyemba, vepedo nevekure, umwe neumwe, neushe hwose hwenyika huri pachiso chenyika; namambo weSheshaki achanwa shure kwavo.
  19678. Jer 25:27 Zvino iwe uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Inwai, uye dhakwai, uye murutse, uye muwe, mugosamukazve, nekuda kwemunondo wandinotuma pakati penyu.
  19679. Jer 25:28 Zvino zvichaitika kana vachiramba kutora mukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Muchanwa zvirokwazvo!
  19680. Jer 25:29 Nokuti tarira, ndinotanga kuunza chakaipa paguta rinodanwa nezita rangu, zvino imwi mungava vasina mhosva zvirokwazvo here? Imwi hamungavi vasina mhosva. Nokuti ndichadanira munondo pamusoro pevagari vose vepanyika, anoreva Jehovha wehondo.
  19681. Jer 25:30 Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uye uti kwavari: Jehovha achaomba kubva kumusoro, achabudisa inzwi rake ari paugaro hwake utsvene; achaombera zvikuru pamusoro pemafuro ake; achapangura mhururu sevanotsika mazambiringa kurwisa vagari vose vepanyika.
  19682. Jer 25:31 Ruzha rwuchasvika kumugumo wenyika, nokuti Jehovha ane kupokana nemarudzi, achatongesa nyama yose; achavapa vakaipa kumunondo, anoreva Jehovha.
  19683. Jer 25:32 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarira, chakaipa chichabuda kubva kurudzi kuenda kurudzi, uye chamupupuri chikuru chichamutswa kubva kumacheto enyika.
  19684. Jer 25:33 Uye vakaurawa pazuva iro vachabva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi rwenyika; havangachemwi uye havangaunganidzwi uye havangavigwi; vachava mupfudze pamusoro pechiso chenyika.
  19685. Jer 25:34 Ungudzai, imwi vafudzi, uye chemai muzviumburudze, imwi vakuru vemapoka, nokuti mazuva ekuurawa kwenyu nekuparadzirwa kwenyu azadziswa, uye muchawa semudziyo unodikanwa.
  19686. Jer 25:35 Matiziro achapera kuvafudzi, nekupukunyuka kuvakuru veboka.
  19687. Jer 25:36 Kuchava neinzwi rekuchema revafudzi, nekurira kwevakuru veboka, nokuti Jehovha waparadza mafuro avo.
  19688. Jer 25:37 Zvino mafuro erugare achaparadzwa nekuda kwekupfuta kwehasha dzaJehovha.
  19689. Jer 25:38 Wakasiya gara rake seshumba; nokuti nyika yavo yava dongo nekuda kwekutyisa kwemumanikidzi, uye nekuda kwekutsamwa kwake kunotyisa.
  19690. Jer 26:1 Pakutanga kweutongi hwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha kwakasvika shoko iri kubva kuna Jehovha richiti:
  19691. Jer 26:2 Anoreva seizvi Jehovha: Mira pachivanze cheimba yaJehovha, utaure kumaguta ose aJudha, vanouya kuzoshumira muimba yaJehovha, mashoko ose andinokuraira kutaura kwavari; usadukupisa shoko.
  19692. Jer 26:3 Zvimwe vangateerera vakadzoka, umwe neumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pachakaipa chandakavavarira kuita kwavari nekuda kwekuipa kwezviito zvavo.
  19693. Jer 26:4 Zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha: Kana musinganditeereri kufamba mumurairo wangu wandakaisa pamberi penyu,
  19694. Jer 26:5 kuti muteerere kumashoko evaranda vangu vaporofita vandinotuma kwamuri, hongu ndichimuka mangwanani uye ndichituma, asi hamuna kuteerera;
  19695. Jer 26:6 zvino ndichaita imba iyi seShiro, uye ndichaita guta iri chakatukwa kumarudzi ose epanyika.
  19696. Jer 26:7 Naizvozvo vapristi nevaporofita nevanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa muimba yaJehovha.
  19697. Jer 26:8 Zvino zvakaitika Jeremiya apedza kutaura zvose Jehovha zvaaiva araira kuti ataure kuvanhu vose, kuti vapristi nevaporofita nevanhu vose vakamubata, vachiti: Uchafa zvekufa.
  19698. Jer 26:9 Wakaporofitirei muzita raJehovha uchiti: Imba iyi ichava seShiro, uye guta iri richava dongo risina mugari? Vanhu vose ndokuunganira Jeremiya muimba yaJehovha.
  19699. Jer 26:10 Zvino machinda aJudha paakanzwa zvinhu izvi, ipapo vakakwira kubva kuimba yamambo kuenda kuimba yaJehovha, ndokugara pamapindiro epasuwo idzva raJehovha.
  19700. Jer 26:11 Zvino vapristi nevaporofita vakataura kumachinda uye kuvanhu vose, vachiti: Murume uyu wakafanira mutongo werufu, nokuti wakaporofita achipokana neguta iri, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.
  19701. Jer 26:12 Zvino Jeremiya wakataura kumisoro yose nekuvanhu vose achiti: Jehovha wakandituma kuporofita maererano neimba iyi uye maererano neguta iri mashoko ose amakanzwa.
  19702. Jer 26:13 Naizvozvo ikozvino gadzirisai nzira dzenyu nezviito zvenyu, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha achazvidemba pamusoro pechakaipa chaakataura kupokana nemwi.
  19703. Jer 26:14 Asi ini, tarirai, ndiri muruoko rwenyu; itai kwandiri sezvakanaka uye sezvakarurama pameso penyu.
  19704. Jer 26:15 Asi zivai zvirokwazvo kuti kana muchindiuraya, muchamisa ropa risina mhosva pamusoro penyu, uye pamusoro peguta iri, uye pamusoro pevagari varo, nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kutaura mashoko awa ose munzeve dzenyu.
  19705. Jer 26:16 Zvino machinda nevanhu vose vakati kuvapristi nekuvaporofita: Munhu uyu haafaniri mutongo werufu, nokuti wakataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.
  19706. Jer 26:17 Zvino kwakasimuka vamwe vevakuru venyika, ndokutaura kuungano yose yevanhu vachiti:
  19707. Jer 26:18 Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha, ndokutaura kuvanhu vose vaJudha achiti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ziyoni richarimwa semunda, neJerusarema richava mirwi, negomo reimba rive nzvimbo dzakakwirira dzesango.
  19708. Jer 26:19 Hezekia mambo waJudha naJudha wose vakandomuuraya here? Haana kutya Jehovha, akanyengetedza chiso chaJehovha, uye Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa chaaiva areva pamusoro pavo here? Naizvozvo tingaita uipi ukuru kurwisa mweya yeupenyu yedu.
  19709. Jer 26:20 Uye kwaiva nemunhu wakaporofita muzita raJehovha, Uriya, mwanakomana waShemaya weKiriati-Jearimi; wakaporofita zvaipokana neguta iri nenyika iyi zvakafanana nemashoko ose aJeremiya.
  19710. Jer 26:21 Zvino mambo Jehoyakimu nevakuru vake vose nemachinda ose vakati vanzwa mashoko ake, mambo wakatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, ndokutiza ndokuenda kuEgipita.
  19711. Jer 26:22 Zvino mambo Jehoiakimi wakatuma vanhu kuEgipita, Erinatani mwanakomana waAkibhori, nevamwe vanhu vanaye, kuenda kuEgipita.
  19712. Jer 26:23 Zvino vakabudisa Uriya muEgipita, ndokumuuisa kuna mambo Jehoyakimu; iye wakamuuraya nemunondo, ndokukanda chitunha chake muguva revanakomana vevanhu.
  19713. Jer 26:24 Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwaiva naJeremiya, kuti vasamupa muruoko rwevanhu kuti vamuuraye.
  19714. Jer 27:1 Pakutanga kwekutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:
  19715. Jer 27:2 Anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Zviitire zvisungo nemajoko, ugozviisa pamutsipa wako.
  19716. Jer 27:3 Uye uzvitumire kuna mambo weEdhomu, nekuna mambo waMoabhu, nekuna mambo wevana vaAmoni, nekuna mambo weTire, nekuna mambo weSidhoni, neruoko rwenhume dzakasvika paJerusarema kuna Zedhekia mambo waJudha.
  19717. Jer 27:4 Zvino uvaraire kuti vati kunana tenzi vavo: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Muchareva seizvi kunana tenzi venyu:
  19718. Jer 27:5 Ini ndakaita nyika, nemunhu, nemhuka, zviri pamusoro pechiso chenyika, nesimba rangu guru, uye neruoko rwangu rwakatandavadzwa, uye ndakaipa kune wakafanira pameso angu.
  19719. Jer 27:6 Ikozvino ini ndapa nyika dzose idzi muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhukawo dzesango ndakamupa kuti dzimushandire.
  19720. Jer 27:7 Zvino marudzi ose achamushandira, nemwanakomana wake, nemwanakomana wemwanakomana wake, kusvika kwasvika nguva yenyika yake pachake; ipapo marudzi mazhinji nemadzimambo makuru achamushandisa.
  19721. Jer 27:8 Zvino zvichaitika, kuti rudzi neushe zvisingamushandiri, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nevasingaisi mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharuranga nemunondo uye nenzara uye nehosha, kusvika ndavapedza neruoko rwake, anoreva Jehovha.
  19722. Jer 27:9 Zvino imwi regai kuteerera kuvaporofita venyu, nekuvavuki venyu, nekuvaroti venyu, nekuvadudziri vezviratidzo venyu, nekuvaroyi venyu, vanotaura kwamuri vachiti: Hamungashandiri mambo weBhabhironi.
  19723. Jer 27:10 Nokuti vanoporofita nhema kwamuri, kukubvisirai kure nenyika yenyu, uye kuti ndikudzingei, uye muparare.
  19724. Jer 27:11 Asi rudzi rwunopinza mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nekumushandira, ndicharwurega panyika yarwo, anoreva Jehovha; uye rwuchairima ndokugaramo.
  19725. Jer 27:12 Ndakataurawo kuna Zedhekia mambo waJudha zvinoenderana nemashoko awa ose, ndichiti: Uisai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, uye mumushandire nevanhu vake, mugorarama.
  19726. Jer 27:13 Muchafirei, imwi nevanhu venyu, nemunondo, nenzara, uye nehosha, sezvakataura Jehovha kurwisana nerudzi rwusingashandiri mambo weBhabhironi?
  19727. Jer 27:14 Naizvozvo regai kuteerera kumashoko evaporofita vanotaura kwamuri vachiti: Hamungashandiri mambo weBhabhironi; nokuti vanoporofita nhema kwamuri.
  19728. Jer 27:15 Nokuti handina kuvatuma, anoreva Jehovha, zvakadaro vanoporofita nhema muzita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, kuti muparare, imwi nevaporofita vanoporofita kwamuri.
  19729. Jer 27:16 Ndakataurawo nevapristi nekuvanhu vose ava ndichiti: Anoreva seizvi Jehovha: Regai kuteerera kumashoko evaporofita venyu vanoporofita kwamuri vachiti: Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha ikozvino ichakurumidza kudzoswa kubva Bhabhironi; nokuti vanoporofita nhema kwamuri.
  19730. Jer 27:17 Regai kuvateerera; shandirai mambo weBhabhironi mugorarama. Guta iri richaitirei dongo?
  19731. Jer 27:18 Asi kana vari vaporofita, uye kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere ikozvino kuna Jehovha wehondo, kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha neimba yamambo waJudha nepaJerusarema isaenda kuBhabhironi.
  19732. Jer 27:19 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo maererano nedzimbiru, uye maererano negungwa, uye maererano nezvigadziko, uye maererano neyakasara yemidziyo, zvakasara muguta iri;
  19733. Jer 27:20 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi zvaasina kutora paakatapa Jekoniya, mwanakomana waJehoyakimu mambo waJudha kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi, pamwe nevakuru vose vaJudha neJerusarema;
  19734. Jer 27:21 hongu, anoreva seizvi Jehovha wehondo Mwari waIsraeri maererano nemidziyo yakasara muimba yaJehovha nemuimba yamambo waJudha nepaJerusarema:
  19735. Jer 27:22 Zvichaiswa kuBhabhironi uye zvichavapo kusvika zuva randichazvishanyira, anoreva Jehovha; ipapo ndichazvikwidza ndokuzvidzosa panzvimbo iyi.
  19736. Jer 28:1 Zvino zvakaitika mugore iroro, pakutanga kwekutonga kwaZedhekia mambo waJudha, mugore rechina, mumwedzi weshanu, Hananiya mwanakomana waAzuri muporofita waiva weGibhiyoni wakataura kwandiri muimba yaJehovha, pamberi pemeso evapristi neevanhu vose, achiti:
  19737. Jer 28:2 Anotaura seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, achiti: Ndavhuna joko ramambo weBhabhironi.
  19738. Jer 28:3 Muchiri mumakore maviri akazara, ndichadzosera kunzvimbo iyi midziyo yose yeimba yaJehovha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi yaakabvisa panzvimbo iyi, ndokuitakurira kuBhabhironi.
  19739. Jer 28:4 Zvino ndichadzosera kunzvimbo iyi Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo waJudha, pamwe nevatapwa vose vaJudha, vakaenda kuBhabhironi, anoreva Jehovha; nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.
  19740. Jer 28:5 Ipapo muporofita Jeremiya wakataura kumuporofita Hananiya pamberi pemeso evapristi uye pamberi pemeso evanhu vose vakamira muimba yaJehovha.
  19741. Jer 28:6 Jeremiya muporofita ndokuti: Ameni, Jehovha ngaaite saizvozvo; Jehovha ngaasimbise mashoko ako awakaporofita, kudzosa midziyo yeimba yaJehovha, nevose vakatapwa, kubva kuBhabhironi kuuya kunzvimbo iyi.
  19742. Jer 28:7 Asi inzwa ikozvino shoko iri randinotaura munzeve dzako uye munzeve dzevanhu vose.
  19743. Jer 28:8 Vaporofita vakanditangira nevakakutangira kare vakaporofitira nyika zhinji uye ushe ukuru, zvehondo uye zvechakaipa uye zvehosha.
  19744. Jer 28:9 Muporofita anoporofita zverugare, panoitika shoko remuporofita, muporofita achazikanwa kuti zvirokwazvo Jehovha wakamutuma.
  19745. Jer 28:10 Ipapo Hananiya muporofita wakabvisa joko kubva pamutsipa wemuporofita Jeremiya, ndokurivhuna.
  19746. Jer 28:11 Zvino Hananiya wakataura pamberi pemeso evanhu vose achiti: Anoreva seizvi Jehovha: Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva pamutsipa wemarudzi ose muchiri mumakore maviri akazara. Muporofita Jeremiya ndokuenda nenzira yake.
  19747. Jer 28:12 Zvino rakasvika shoko raJehovha kuna Jeremiya, shure kwekunge Hananiya muporofita avhuna joko kubva pamutsipa wemuporofita Jeremiya, richiti:
  19748. Jer 28:13 Enda unoudza Hananiya uchiti: Anoreva seizvi Jehovha: Wavhuna majoko ematanda, asi uchaita panzvimbo yawo majoko esimbi.
  19749. Jer 28:14 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Ndakaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi awa ose, kuti ashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achamushandira; uye ndamupawo mhuka dzesango.
  19750. Jer 28:15 Zvino Jeremiya muporofita wakati kuna Hananiya muporofita: Chinzwa zvino, Hananiya; Jehovha haana kukutuma, asi iwe unovimbisa vanhu ava nenhema.
  19751. Jer 28:16 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichakurasa kubva pachiso chenyika; gore rino uchafa, nokuti wataura kupandukira Jehovha.
  19752. Jer 28:17 Naizvozvo Hananiya muporofita wakafa mugore iroro mumwedzi wechinomwe.
  19753. Jer 29:1 Zvino awa mashoko etsamba Jeremiya muporofita yaakatumira kubva kuJerusarema kuenda kune vakasara vevakuru vakatapwa nekuvapristi nekuvaporofita nekuvanhu vose Nebhukadhinezari vaakatapa kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi,
  19754. Jer 29:2 (shure kwekunge Jekoniya mambo, namambokadzi, nevatenwa, machinda ekwaJudha neJerusarema, nevavezi, nevapfuri vakabuda kubva Jerusarema),
  19755. Jer 29:3 neruoko rwaErasa mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikiya, Zedhekia mambo waJudha vaakatuma kuBhabhironi kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti:
  19756. Jer 29:4 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, kune vose vakatapwa, vandakatapisa kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi:
  19757. Jer 29:5 Zvivakirei dzimba mugogara; uye simai mabindu mugodya muchero wawo.
  19758. Jer 29:6 Torai vakadzi mugobereka vanakomana nevanasikana, uye torerai vanakomana venyu vakadzi, mugopa vanasikana venyu kuvarume, kuti vabereke vanakomana nevanasikana, kuti muwandepo, uye murege kutapudzwa.
  19759. Jer 29:7 Zvino mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti nerugare rwaro muchava nerugare.
  19760. Jer 29:8 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Vaporofita venyu nevavuki venyu vari pakati penyu ngavarege kukunyengerai, uye musateerera kuzviroto zvenyu zvamunorotsa.
  19761. Jer 29:9 Nokuti vanoporofita nhema kwamuri muzita rangu; handina kuvatuma, anoreva Jehovha.
  19762. Jer 29:10 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Zvirokwazvo, makore manomwe paanenge azadziswa muBhabhironi, ndichakushanyirai; uye ndichasimbisa shoko rangu rakanaka kwamuri, pakukudzoserai kunzvimbo iyi.
  19763. Jer 29:11 Nokuti ini ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, anoreva Jehovha, ndangariro dzerugare, uye kwete dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo netariro.
  19764. Jer 29:12 Ipapo muchadana kwandiri uye muchaenda nekunyengetera kwandiri; zvino ndichakuteererai.
  19765. Jer 29:13 Zvino muchanditsvaka mugondiwana, kana muchinditsvaka nemoyo wenyu wose.
  19766. Jer 29:14 Zvino ndichawanikwa nemwi, anoreva Jehovha, uye ndichadzosa kutapwa kwenyu, uye ndichakuunganidzai kubva kumarudzi ose, uye kubva kunzvimbo dzose kwandakakudzingirai, anoreva Jehovha; uye ndichakudzosai kunzvimbo kwandakakutapisirai muchibvapo.
  19767. Jer 29:15 Nokuti makati: Jehovha wakatimutsira vaporofita muBhabhironi.
  19768. Jer 29:16 Nokuti anoreva seizvi Jehovha pamusoro pamambo agere pachigaro cheushe chaDhavhidhi, nepamusoro pevanhu vose vagere muguta iri, hama dzenyu dzisina kubuda pamwe nemwi pakutapwa:
  19769. Jer 29:17 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nzara, nehosha, uye ndichavaita semaonde anosemesa asingadyiwi nekuda kwekuipa.
  19770. Jer 29:18 Zvino ndichavadzingirira nemunondo, nenzara, uye nehosha; uye ndichavapa kuti vave chinotyisa paushe hwose hwepanyika, vave chakatukwa nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pemarudzi ose kwandakavadzingira;
  19771. Jer 29:19 nokuti havana kuteerera kumashoko angu, anoreva Jehovha, andakatuma kwavari nevaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani uye ndichituma, asi hamuna kunzwa, anoreva Jehovha.
  19772. Jer 29:20 Naizvozvo imwi inzwai shoko raJehovha, imwi mose vatapwa, vandakatuma kubva paJerusarema kuenda kuBhabhironi.
  19773. Jer 29:21 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, nepamusoro paZedhekia mwanakomana waMaaseya, vanoporofita nhema kwamuri muzita rangu: Tarirai, ndichavapa muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi; uye achavauraya pamberi pemeso enyu.
  19774. Jer 29:22 Zvino kuchatorwa pavari chakatukwa nevatapwa vose vekwaJudha vari muBhabhironi, vachiti: Jehovha akuite saZedhekia uye saAhabhi, mambo weBhabhironi vaakagocha pamoto.
  19775. Jer 29:23 Nokuti vakaita neupenzi kwaIsraeri, vakaita upombwe nevakadzi vevekwavo, uye vakataura shoko nenhema muzita rangu randisina kuvaraira; uye ndini ndinoziva, uye ndiri chapupu, anoreva Jehovha.
  19776. Jer 29:24 Zvino uchataura kuna Shemaya muNeheramite uchiti:
  19777. Jer 29:25 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, achiti: Zvawakatuma iwe dzitsamba muzita rako kuvanhu vose vari paJerusarema, nekuna Zefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, nekuvapristi vose, uchiti:
  19778. Jer 29:26 Jehovha wakakuita mupristi pachinzvimbo chaJehoiadha mupristi, kuti muve vabati muimba yaJehovha pamusoro pemunhu umwe neumwe anopenga uye anozviita muporofita, kuti mumuise muchitokisi uye mumatanda pamutsipa.
  19779. Jer 29:27 Naizvozvo ikozvino, waregerei kutsiura Jeremiya muAnatoti anozviita muporofita kwamuri?
  19780. Jer 29:28 Nokuti wakatitumira nekuda kweizvozvi paBhabhironi, achiti: Nguva irefu, vakai dzimba mugogara, uye simai mabindu mugodya chibereko chawo.
  19781. Jer 29:29 Zvino Zefaniya mupristi wakaverenga tsamba iyi munzeve dzaJeremiya muporofita.
  19782. Jer 29:30 Ipapo kwakasvika shoko raJehovha kuna Jeremiya richiti:
  19783. Jer 29:31 Tumira vakatapwa vose uchiti: Anoreva seizvi Jehovha maererano naShemaya muNeheramiti: Nekuda kwekuti Shemaya wakakaporofita kwamuri, uye ini handina kumutuma, uye akaita kuti muvimbe nenhema,
  19784. Jer 29:32 naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndicharanga Shemaya muNeheramiti, nechizvarwa chake; haangavi nemunhu angagara pakati perudzi urwu, uye haangaoni chakanaka chandichaitira vanhu vangu, anoreva Jehovha; nokuti wakataura kupandukira Jehovha.
  19785. Jer 30:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha richiti:
  19786. Jer 30:2 Anotaura seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri, achiti: Zvinyorere mashoko ose andakataura kwauri mubhuku.
  19787. Jer 30:3 Nokuti tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichadzosa utapwa hwevanhu vangu Israeri naJudha, anoreva Jehovha, uye ndichavadzosa kunyika yandakapa kumadzibaba avo, uye vachaigara nhaka.
  19788. Jer 30:4 Zvino awa mashoko Jehovha aakataura maererano naIsraeri uye maererano naJudha.
  19789. Jer 30:5 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Takanzwa inzwi rekudedera, rekutya, uye kwete rerugare.
  19790. Jer 30:6 Bvunzai ikozvino, mugoona kana murume achirwadziwa nemimba? Sei ndichiona munhurume umwe neumwe ane maoko ake pamusoro pechiuno chake semukadzi anorwadziwa nemimba, uye zviso zvose zvakashanduka kucheneruka?
  19791. Jer 30:7 Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, zvekuti hakuna rakafanana naro; uye inguva yekutambudzika kwaJakove; asi achaponeswa kubva pazviri.
  19792. Jer 30:8 Zvino zvichaitika pazuva iro, anoreva Jehovha wehondo; ndichavhuna joko rake kubva pamutsipa wako, uye ndichadambura zvisungo zvako; uye vatorwa havangazomushandisi.
  19793. Jer 30:9 Asi vachashandira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.
  19794. Jer 30:10 Naizvozvo usatya, iwe muranda wangu Jakove, anoreva Jehovha; uye usavhunduka, Israeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, nechizvarwa chako panyika yekutapwa kwavo; uye Jakove achadzoka agova muzororo, agova nerunyararo, uye hapana angamutyityidzira.
  19795. Jer 30:11 Nokuti ini ndinewe, anoreva Jehovha, kukuponesa; kunyange ndichipedza chose marudzi ose kwandakakuparadzira, zvakadaro handingakupedzi chose; asi ndichakururamisa nechiyero, uye handingakusii usina kutongorangwa.
  19796. Jer 30:12 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Kusvuuka kwako hakurapiki, ronda rako rakaipa.
  19797. Jer 30:13 Hakuna unoreverera mhosva yako, kuti usunge ronda; hauna mishonga inoporesa.
  19798. Jer 30:14 Vadikanwi vako vose vakukanganwa, havakutsvaki, nokuti ndakakukuvadza neronda remuvengi, nekuranga kweane utsinye, nekuda kwekuwanda kwezvitadzo zvako; zvivi zvako zvakawedzera.
  19799. Jer 30:15 Unochemei pamusoro pekusvuuka kwako? Kusuruvara kwako hakurapiki; nekuda kwekuwanda kwezvitadzo zvako, zvivi zvako zvakawedzera; ndaita zvinhu izvi kwauri.
  19800. Jer 30:16 Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwa; nevadzivisi vako vose, vose vavo, vachaenda muutapwa; uye vanokupamba vachava chakapambwa; uye vose vanokubvuta ndichavapa kukubvutwa.
  19801. Jer 30:17 Nokuti ndichakudzosera utano, uye ndichakurapa pamaronda ako, anoreva Jehovha; nokuti vanokuidza wakadzingwa, vachiti: IZiyoni, hakuna anoritsvaka.
  19802. Jer 30:18 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichadzosa kutapwa kwematende aJakove, nekunzwira tsitsi nzvimbo dzake dzekugara; uye guta richavakwa pamusoro pechikomo chake, nemuzinda uchagara setsika yawo.
  19803. Jer 30:19 Zvino kuchabuda kwavari rumbidzo, neinzwi revanopembera, uye ndichavapamhidzira, zvino havangavi vashoma, ndichavakudzawo, uye havangavi vadiki.
  19804. Jer 30:20 Vana vavo vachavawo sekare, neungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu, uye ndicharanga vose vanovamanikidza.
  19805. Jer 30:21 Zvino mukuru wavo achabva mavari, uye mubati wavo achabuda pakati pavo; zvino ndichamuswededza, uye achaswedera kwandiri; nokuti ndiani angaita mweya wake chibatiso chekuswedera kwandiri? anoreva Jehovha.
  19806. Jer 30:22 Zvino muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
  19807. Jer 30:23 Tarirai, chamupupuri chaJehovha, kupfuta kwabuda, chamupupuri chinokukura, chichawira nekurwadza pamusoro pemusoro wevakaipa.
  19808. Jer 30:24 Kupfuta kwehasha dzaJehovha hakungadzoki, kusvika azviita, uye kusvika asimbisa zvinangwa zvemoyo wake; pakuguma kwemazuva mucharangarira izvi.
  19809. Jer 31:1 Nenguva iyo, anoreva Jehovha, ndichava Mwari wemhuri dzose dzaIsraeri, uye ivo vachava vanhu vangu.
  19810. Jer 31:2 Anoreva seizvi Jehovha: Vanhu vakasara pamunondo vakawana nyasha murenje, Israeri, pandakaenda kunomuzorodza.
  19811. Jer 31:3 Jehovha wakaonekera kwandiri kare achiti: Hongu, ndakakuda nerudo rwusingaperi; naizvozvo nerudo rweunyoro ndakakukweva.
  19812. Jer 31:4 Ndichakuvakazve, uye uchavakika, iwe mhandara yaIsraeri; uchashongedzwazve nengoma dzako, uchabuda mukutamba kwevanopembera.
  19813. Jer 31:5 Uchasimazve minda yemizambiringa pamusoro pemakomo eSamariya; vasimi vachasima, uye vachadya zvibereko.
  19814. Jer 31:6 Nokuti kuchava nezuva, nharirire dzichadanidzira pamusoro pegomo Efuremu, dzichiti: Simukai, zvino ngatikwire kuZiyoni kuna Jehovha Mwari wedu.
  19815. Jer 31:7 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Imbirai Jakove nemufaro, uye pururudzirai mukuru wemarudzi, paridzirai, rumbidzai, zvino muti: Jehovha, ponesai vanhu venyu, vakasara vaIsraeri.
  19816. Jer 31:8 Tarirai, ndichavauisa kubva kunyika yekumaodzanyemba, ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika, mapofu nezvirema pamwe navo, vakadzi vakazvitakura nevari kusununguka pamwe chete, vari boka guru vachadzoka pano.
  19817. Jer 31:9 Vachauya nekuchema, uye ndichavatungamirira vane mikumbiro, ndichavafambisa panzizi dzemvura zhinji munzira yakarurama mavasingagumburwi, nokuti ndiri baba kuna Israeri, naEfuremu ndiye dangwe rangu.
  19818. Jer 31:10 Inzwai shoko raJehovha, imwi marudzi, muparidzire pazviwi zviri kure, zvino muti: Uyo wakaparadzira Israeri achamuunganidza, uye achamuchengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.
  19819. Jer 31:11 Nokuti Jehovha wakadzikinura Jakove, uye wakamuripira kubva muruoko rweane simba kumupfuura.
  19820. Jer 31:12 Naizvozvo vachauya ndokuimba pakakwirira peZiyoni, uye vachayerera kune zvakanaka zvaJehovha, pazviyo, nepawaini itsva, nepamafuta, nepamakwayana emakwai, nemombe; uye mweya weupenyu wavo uchava sebindu rakadiridzwa, uye havangatongozosuwizve.
  19821. Jer 31:13 Ipapo mhandara ichafara pakutamba, nemajaya nevatana pamwe chete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo kuva mufaro, uye ndichavanyaradza, nekuvafadza pachinzvimbo chekusuwa kwavo.
  19822. Jer 31:14 Zvino ndichagutsa mweya weupenyu wevapristi nemafuta; uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu, anoreva Jehovha.
  19823. Jer 31:15 Anoreva seizvi Jehovha: Inzwi rinonzwikwa muRama, kuwungudza, kuchema kunorwadza: Rakeri achichema pamusoro pevana vake; anoramba kunyaradzwa pamusoro pevana vake, nokuti havachipo.
  19824. Jer 31:16 Anoreva seizvi Jehovha: Dzora inzwi rako pakuchema, nemeso ako pamisodzi, nokuti kune mubairo pabasa rako, anoreva Jehovha, uye vachadzoka kubva kunyika yemuvengi.
  19825. Jer 31:17 Zvino pane tariro pamugumo wako, anoreva Jehovha, uye vana vako vachadzoka kumuganhu wavo.
  19826. Jer 31:18 Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti: Imwi makandiranga, uye ndakarangwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzosei, ipapo ndichadzorwa, nokuti imwi muri Jehovha Mwari wangu.
  19827. Jer 31:19 Zvirokwazvo shure kwekudzoka kwangu ndakazvidemba, uye shure kwekurairirwa kwangu ndakarova pamusoro pechidya changu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo ndakasvoda, nokuti ndakatakura kushoorwa kweudiki hwangu.
  19828. Jer 31:20 Efuremu mwanakomana wangu anokosha here? Ndiye mwana anofadza here? Nokuti pandanguri ndataura ndichipokana naye, ndinoramba ndichingomurangarira; naizvozvo ura hwangu hunochema naye; ndichamunzwira ngoni zvirokwazvo, anoreva Jehovha.
  19829. Jer 31:21 Zvimisirei zviratidzo zvenzira, zviitirei shongwe dzekuratidzira; isai moyo wenyu wakananga kunzira huru, nzira yawakafamba nayo; dzoka, mhandara yaIsraeri, dzokera kumaguta ako awa.
  19830. Jer 31:22 Kusvika rinhi uchidzungaira, iwe mukunda wekudzokera shure? Nokuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika: Mukadzi achakomba murume.
  19831. Jer 31:23 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nemumaguta ayo, pandichadzosa vakatapwa vavo: Jehovha akuropafadze, iwe ugaro hwekururama, gomo reutsvene.
  19832. Jer 31:24 Zvino muchagara mariri Judha nemaguta aro ose pamwe chete, varimi nevanofamba nemapoka.
  19833. Jer 31:25 Nokuti ndakagutsa mweya weupenyu wakaneta, uye ndakazadza mweya weupenyu umwe neumwe unopera simba.
  19834. Jer 31:26 Ipapo ndakapepuka ndokuona, zvino hope dzangu dzakanditapirira.
  19835. Jer 31:27 Tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichadzvara imba yaIsraeri neimba yaJudha nembeu yevanhu nembeu yemhuka.
  19836. Jer 31:28 Zvino zvichaitika, sezvandakarinda pamusoro pavo kuti ndidzure nekuputsa nekukanda pasi nekuparadza nekurwadzisa, saizvozvo ndicharinda pamusoro pavo kuvaka nekusima, anoreva Jehovha.
  19837. Jer 31:29 Mumazuva iwayo havangazoti: Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino evana ndokubwadzira.
  19838. Jer 31:30 Asi umwe neumwe achafira uipi hwake; munhu umwe neumwe anodya mazambiringa anovava, mazino ake achabwadzira.
  19839. Jer 31:31 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
  19840. Jer 31:32 Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo pazuva randakabata ruoko rwavo kuvabudisa munyika yeEgipita, sungano yangu ivo yavakaputsa, kunyange ini ndaiva chikomba kwavari, anoreva Jehovha.
  19841. Jer 31:33 Asi iyi isungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anoreva Jehovha: Ndichaisa murairo wangu muzvemukati zvavo, nekuunyora mumoyo yavo, zvino ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu.
  19842. Jer 31:34 Zvino havangazodzidzisanizve umwe neumwe wekwake, uye umwe neumwe hama yake, vachiti: Ziva Jehovha; nokuti vose vavo vachandiziva, kubva kumudikisa wavo kusvika kumukurusa wavo, anoreva Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, uye handichazorangaririzve chivi chavo.
  19843. Jer 31:35 Anoreva seizvi Jehovha, anopa zuva kuva chiedza chemasikati, zvimiso zvemwedzi nenyeredzi kuva chiedza usiku, anoparadzanisa gungwa, mafungu aro ndokuomba, Jehovha wehondo ndiro zita rake:
  19844. Jer 31:36 Kana zvimiso izvo zvikabva pamberi pangu, anoreva Jehovha, mbeu yaIsraeriwo ichaguma pakuva rudzi pamberi pangu mazuva ose.
  19845. Jer 31:37 Anoreva seizvi Jehovha: Kana matenga aiyerwa kumusoro, nenheyo dzechinyika pasi dzichinzverwa, neniwo ndicharasa mbeu yose yaIsraeri nekuda kwezvose zvavakaita, anoreva Jehovha.
  19846. Jer 31:38 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha apo pachavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yeHananeri kusvika kusuwo rekona.
  19847. Jer 31:39 Uye rwonzi rwekuyera rwuchabudazve rwakanangana nayo kusvika pachikomo cheGarebhi, ndokutenderera ichienda kuGoa.
  19848. Jer 31:40 Uye mupata wose wezvitunha newemadota, neminda yose kusvika kurukova Kidhironi, kusvika kukona yesuwo remabhiza kumabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi uye hazvingaparadzwizve kusvika rinhi narinhi.
  19849. Jer 32:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo waJudha, iri gore raiva gore regumi nemasere raNebhukadhirezari.
  19850. Jer 32:2 Nokuti nenguva iyo hondo yamambo weBhabhironi yakakomba Jerusarema; uye Jeremiya muporofita waiva akapfigirwa muchivanze chetirongo chaiva muimba yamambo waJudha.
  19851. Jer 32:3 Nokuti Zedhekia mambo waJudha waiva amupfigira achiti: Unoporofitirei uchiti: Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichapa guta iri muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharitapa.
  19852. Jer 32:4 Zvino Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki kubva muruoko rwevaKaradhiya, asi achapiwa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, uye muromo wake uchataura nemuromo wake, uye meso ake achaona meso ake.
  19853. Jer 32:5 Zvino achatungamirira Zedhekia kuBhabhironi, uye achavako, kusvika ndamushanyira, anoreva Jehovha. Kunyange muchirwa nevaKaradhiya, hamungabudiriri.
  19854. Jer 32:6 Zvino Jeremiya wakati: Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  19855. Jer 32:7 Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi sekuru vako achauya kwauri achiti: Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nokuti ndiwe une kodzero yekuudzikinura kuti utenge.
  19856. Jer 32:8 Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakasvika kwandiri muchivanze chetirongo zvichienderana neshoko raJehovha, ndokuti kwandiri: Tenga hako munda wangu uri paAnatoti riri munyika yaBhenjamini, nokuti kodzero yenhaka ndeyako, nekudzikunurwa ndekwako, zvitengere. Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
  19857. Jer 32:9 Zvino ndakatenga munda uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndokumuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi nemanomwe.
  19858. Jer 32:10 Zvino ndakanyora tsamba ndikadhinda, ndokupupuririsa zvapupu, ndokuyera mari pachikero.
  19859. Jer 32:11 Naizvozvo ndakatora tsamba yekutenga yaiva yakanamiwa pamurairo nemitemo, neyaiva yakavhurika.
  19860. Jer 32:12 Zvino ndakapa tsamba yekutenga kuna Bharuki mwanakomana waNeriya mwanakomana waMaaseya, pamberi pemeso aHanameri mwanakomana wasekuru vangu, uye pamberi pemeso ezvapupu zvaiva zvadhinda tsamba yekutenga pamberi pemeso evaJudha vose vaiva vagere muchivanze chetirongo.
  19861. Jer 32:13 Zvino ndakaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti:
  19862. Jer 32:14 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tora tsamba idzi, tsamba iyi yekutenga, zvose yakanamiwa netsamba iyi yakavhurwa, ugodziisa mumudziyo wevhu, kuti dzigare mazuva mazhinji.
  19863. Jer 32:15 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Dzimba, neminda, neminda yemizambiringa zvichatengwazve munyika iyi.
  19864. Jer 32:16 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha mushure mekunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeriya tsamba yekutenga, ndichiti:
  19865. Jer 32:17 Haiwa, Ishe Jehovha, tarirai, imwi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru uye neruoko rwakatandavadzwa; hakuna chinhu chinokuremerai;
  19866. Jer 32:18 munoitira tsitsi zvuru, nekutsiva zvakaipa zvemadzibaba muchipfuva chevana vavo shure kwavo; Mwari mukuru, ane simba, Jehovha wehondo izita rake;
  19867. Jer 32:19 mukuru pazano uye ane simba pakuita, nokuti maziso enyu akazarukira kunzira dzose dzevanakomana vevanhu, kupa kune umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake, uye zvichienderana nechibereko chezviito zvake;
  19868. Jer 32:20 makamisa zviratidzo nezvishamiso munyika yeEgipita kusvika pazuva iri, uye kwaIsraeri nepakati pevanhu; uye makazviitira zita sanhasi.
  19869. Jer 32:21 Uye makabudisa vanhu venyu Israeri kubva panyika yeEgipita nezviratidzo uye nezvishamiso uye nechanza chine simba uye neruoko rwakatandavadzwa uye nekutyisa kukuru;
  19870. Jer 32:22 zvino makavapa nyika iyi, yamakapikira madzibaba avo kuvapa, nyika inoyerera mukaka neuchi.
  19871. Jer 32:23 Zvino vakapinda ndokugara nhaka yayo, asi havana kuteerera kuinzwi renyu, uye havana kufamba mumurairo wenyu; havana kuita zvose zvamakavaraira kuita; naizvozvo mauisa chakaipa chose ichi pamusoro pavo.
  19872. Jer 32:24 Tarira, mirwi yasvika muguta kuritapa; uye guta rapiwa muruoko rwevaKaradhiya vanorwa naro nekuda kwemunondo nekwenzara nekwehosha; uye zvamakataura zvaitika, zvino tarira, munoona.
  19873. Jer 32:25 Zvakadaro imwi Ishe Jehovha makati kwandiri: Zvitengere munda nemari, upupuririse zvapupu; nokuti guta rapiwa muruoko rwevaKaradhiya.
  19874. Jer 32:26 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti:
  19875. Jer 32:27 Tarira, ndiri Jehovha, Mwari wenyama yose; kune chipi nechipi chingandiremera here?
  19876. Jer 32:28 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndapa guta iri muruoko rwevaKaradhiya, nemuruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, uye acharitapa.
  19877. Jer 32:29 Zvino vaKaradhiya vanorwa neguta iri vachauya ndokutungidza guta iri nemoto ndokuripisa, pamwe nedzimba pamusoro pematenga adzo pavakapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Bhaari, nekudururira chipo chechinwiwa kune vamwe vamwari, kunditsamwisa.
  19878. Jer 32:30 Nokuti vana vaIsraeri nevana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pameso angu kubva paudiki hwavo; nokuti vana vaIsraeri vakaditsamwisa chete nebasa remaoko avo, anoreva Jehovha.
  19879. Jer 32:31 Nokuti guta iri ranga riri kwandiri rekutsamwa kwangu nerehasha dzangu, kubva pazuva ravakarivaka kusvika zuva ranhasi, kuti ndiribvise kubva pamberi pechiso changu,
  19880. Jer 32:32 nekuda kwezvakaipa zvose zvevana vaIsraeri nezvevana vaJudha, zvavakaita kunditsamwisa, ivo, madzimambo avo, machinda avo, vapristi vavo, nevaporofita vavo, nevanhu vaJudha, nevagari veJerusarema.
  19881. Jer 32:33 Zvino vakanditendeusira gotsi uye kwete chiso; kunyange ndakavadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichidzidzisa, zvakadaro havana kuteerera kugamuchira kurairwa.
  19882. Jer 32:34 Asi vakaisa zvinyangadzo zvavo muimba inodanwa nezita rangu, kuti vaisvibise.
  19883. Jer 32:35 Zvino vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, dziri mumupata wemwanakomana waHinomi, kuti vapfuudzire Moreki vanakomana vavo nevanasikana vavo, zvandisina kuvaraira, uye zvisina kupinda mumoyo mangu kuti vaite chinyangadzo ichi, kuti vatadzise Judha.
  19884. Jer 32:36 Zvino ikozvino, naizvozvo anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri maererano neguta iri ramunoti pamusoro paro: Richapiwa muruoko rwamambo weBhabhironi nemunondo uye nenzara uye nehosha:
  19885. Jer 32:37 Tarirai, ndichavaunganidza kubva kunyika dzose kwandakavadzingirako pakutsamwa kwangu nepakupfuta kwangu uye muhasha huru; uye ndichavadzosa kunzvimbo iyi, ndigovagarisa vakachengeteka.
  19886. Jer 32:38 Zvino vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
  19887. Jer 32:39 Zvino ndichavapa moyo umwe nenzira imwe kuti vanditye mazuva ose, kuti zvivanakire ivo nevana vavo shure kwavo.
  19888. Jer 32:40 Zvino ndichaita navo sungano yekusingaperi, kuti handingadzoki pakuvatevera, kuti ndivaitire zvakanaka. Uye ndichaisa kunditya mumoyo wavo, kuti vasatsauka vabve kwandiri.
  19889. Jer 32:41 Hongu, ndichafara pamusoro pavo kuvaitira zvakanaka, uye ndichavasima munyika iyi, muchokwadi, nemoyo wangu wose, uye nemweya weupenyu wangu wose.
  19890. Jer 32:42 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Sezvandakauisa chakaipa chikuru chose ichi pamusoro pevanhu ava, saizvozvo ndichauisa zvakanaka zvose zvandakataura pamusoro pavo.
  19891. Jer 32:43 Zvino minda ichatengwa munyika iyi yamunoti: Idongo, haina vanhu nemhuka; yapiwa muruoko rwevaKaradhiya.
  19892. Jer 32:44 Vanhu vachatenga minda nemari, nekunyora tsamba nekudzidhinda, nekupupuririsa zvapupu, panyika yaBhenjamini, nepanzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nemumaguta aJudha, nemumaguta egomo, nemumaguta emupata, nemumaguta ekuchamhembe; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, anoreva Jehovha.
  19893. Jer 33:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jeremiya achakapfigirwa muchivanze chetirongo richiti:
  19894. Jer 33:2 Anoreva seizvi Jehovha muiti wazvo, Jehovha wakazviumba kuzvisimbisa, Jehovha izita rake:
  19895. Jer 33:3 Danai kwandiri, zvino ndichakupindurai, uye ndichakuratidzai zvinhu zvikuru uye zvine simba zvamusingazivi.
  19896. Jer 33:4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri maererano nedzimba dzeguta iri, uye maererano nedzimba dzemadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuva mirwi uye nekuda kweminondo:
  19897. Jer 33:5 Vanouya kuzorwa nevaKaradhiya, asi vanodzizadza nezvitunha zvevanhu vandakarova mukutsamwa kwangu uye muhasha dzangu, uye kuti ndakavanzira guta iri chiso changu nekuda kwekuipa kwavo kose.
  19898. Jer 33:6 Tarirai, ndichavavigira utano nekupodza, ndivarape uye ndicharatidza kwavari kuwanda kwerugare nechokwadi.
  19899. Jer 33:7 Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJudha nekutapwa kwaIsraeri, uye ndichavavaka sepakutanga.
  19900. Jer 33:8 Zvino ndichavanatsa kubva pakuipa kwavo kose kwavakanditadzira nako, uye ndichakanganwira zvitadzo zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo uye zvavakandidarikira nazvo.
  19901. Jer 33:9 Zvino zvichava kwandiri zita remufaro, rumbidzo nerukudzo pamberi pemarudzi ose epanyika achanzwa zvose zvakanaka zvandakavaitira; zvino vachatya nekudedera pamusoro pezvakanaka zvose uye pamusoro perugare rwose zvandakavaitira.
  19902. Jer 33:10 Anoreva seizvi Jehovha: Panzvimbo iyi, yamunoti idongo isina munhu uye isina mhuka, mumaguta aJudha, nemunzira dzemumusha dzeJerusarema, mava dongo, musina munhu uye musina mugari uye musina mhuka, kuchanzwikwazve
  19903. Jer 33:11 inzwi remufaro neinzwi rekupembera, inzwi rechikomba neinzwi remwenga, inzwi revanoti: Rumbidzai Jehovha wehondo, nokuti Jehovha wakanaka, nokuti tsitsi dzake dziripo nekusingaperi; reavo vanounza zvipo zvekuvonga muimba yaJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika sepakutanga, anoreva Jehovha.
  19904. Jer 33:12 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Panzvimbo iyi iri dongo isina munhu kusvika kumhuka, nemumaguta aro ose, ichavazve nzvimbo yevafudzi vachirarisa mapoka.
  19905. Jer 33:13 Mumaguta egomo, mumaguta emapani, nemumaguta ekuchamhembe, nepanyika yaBhenjamini, nepanzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nemumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi pemaoko eanoaverenga, anoreva Jehovha.
  19906. Jer 33:14 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichamisa chinhu chakanaka chandakataura kuimba yaIsraeri nekuimba yaJudha.
  19907. Jer 33:15 Nemazuva iwayo uye nenguva iyo ndichabukisa davi rekururama kuna Dhavhidhi, uye iye achaita mutongo nekururama panyika.
  19908. Jer 33:16 Nemazuva iwayo Judha achaponeswa, neJerusarema richagara rakachengeteka; uye iri izita raachadanwa naro: Jehovha ndiye kururama kwedu.
  19909. Jer 33:17 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Hakungagurwi munhu kuna Dhavhidhi anogara pachigaro cheushe cheimba yaIsraeri.
  19910. Jer 33:18 Uye kuvapristi vaRevhi hakungagurwi munhu kubva pachiso changu angapa chipo chinopiswa nekupisa chipo chechidyiwa, nekuita chibairo nguva dzose.
  19911. Jer 33:19 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richiti:
  19912. Jer 33:20 Anoreva seizvi Jehovha: Kana mungaputsa sungano yangu yemasikati nesungano yangu yeusiku, kuti kusava nemasikati neusiku nenguva yazvo,
  19913. Jer 33:21 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ichaputswa, kuti asava nemwanakomana anotonga pachigaro chake cheushe, uye nevaRevhi, vapristi, vashumiri vangu.
  19914. Jer 33:22 Hondo yekumatenga sezvaisingaverengeki, nejecha regungwa risingayereki, saizvozvo ndichapamhidzira mbeu yaDhavhidhi muranda wangu, nevaRevhi vanondishumira.
  19915. Jer 33:23 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richiti:
  19916. Jer 33:24 Hauna kuona here zvakataura vanhu ava vachiti: Marudzi maviri Jehovha aakasarudza, wakaarasawo? Saizvozvo vakazvidza vanhu vangu, kuti vasachiva rudzi pamberi pavo.
  19917. Jer 33:25 Anoreva seizvi Jehovha: Kana sungano yangu isiri yemasikati neusiku, kana ndisina kutara zvimiso zvematenga nepasi,
  19918. Jer 33:26 ipapo ndicharasa mbeu yaJakove neyaDhavhidhi muranda wangu, kuti handingatori pambeu yake angatonga pamusoro pembeu yaAbhurahama, Isaka, naJakove; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, nekuvanzwira tsitsi.
  19919. Jer 34:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, neutongi hwose hwenyika hwekutonga kweruoko rwake, nemarudzi ose, pavakange vachirwa vachipikisa Jerusarema nemaguta ose aro, richiti:
  19920. Jer 34:2 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Enda unotaura naZedhekia mambo waJudha, uti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichapa guta iri muruoko rwamambo weBhabhironi; uye acharipisa nemoto.
  19921. Jer 34:3 Newe haungapukunyuki kubva muruoko rwake, asi zvirokwazvo uchabatwa, nekupiwa muruoko rwake; uye meso ako achaona meso amambo weBhabhironi, uye muromo wako uchataura nemuromo wake, zvino uchaenda kuBhabhironi.
  19922. Jer 34:4 Zvakadaro inzwa shoko raJehovha, iwe Zedhekia mambo waJudha. Anoreva seizvi Jehovha pamusoro pako: Haungafi nemunondo.
  19923. Jer 34:5 Uchafa murugare, uye sekuveserwa moto kwemadzibaba ako, madzimambo ekare aiva mberi kwako, saizvozvo vachakuvesera; uye vachakuchema vachiti: Haiwa ishe! Nokuti ini ndataura shoko iro, anoreva Jehovha.
  19924. Jer 34:6 Zvino Jeremiya muporofita wakataura mashoko awa ose kuna Zedhekia mambo waJudha paJerusarema,
  19925. Jer 34:7 hondo yamambo weBhabhironi payakarwa neJerusarema uye nemaguta ose aJudha aiva asara, neRakishi uye neAzeka; nokuti ndiwo maguta akakombwa aiva asara pakati pemaguta aJudha.
  19926. Jer 34:8 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha shure kwekunge mambo Zedhekia aita sungano nevanhu vose vaiva paJerusarema, kudanidzira rusununguko kwavari,
  19927. Jer 34:9 kuti umwe neumwe arege nhapwa yake iende yakasununguka, uye umwe neumwe nhapwakadzi yake, muHebheru kana muHebherukadzi, kuti kusava nemunhu anoita muJudha anova hama yake ave nhapwa.
  19928. Jer 34:10 Machinda ose nevanhu vose vakateerera, ivo vapinda musungano iyi yekuti umwe neumwe anofanira kurega nhapwa yake uye umwe neumwe nhapwakadzi yake iende yakasununguka, kuti vasavaitazve nhapwa; zvino vakateerera, ndokurega vachienda.
  19929. Jer 34:11 Asi pashure vakatendeuka, ndokudzosa nhapwa nenhapwakadzi dzavaiva varega dzichienda dzakasununguka, ndokuvaisa pasi kuva nhapwa nenhapwakadzi.
  19930. Jer 34:12 Naizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:
  19931. Jer 34:13 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Ini ndakaita sungano nemadzibaba enyu pazuva randakavabudisa kubva munyika yeEgipita, kubva muimba yeuranda, ndichiti:
  19932. Jer 34:14 Pakupera kwemakore manomwe ucharega aende umwe neumwe hama yake, muHebheru wakatengeswa kwauri ndokukushandira makore matanhatu, umurege aende akasununguka abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kuteerera kwandiri uye haana kurerekera nzeve yavo.
  19933. Jer 34:15 Zvino imwi madzoka nhasi uye maita zvakarurama pameso pangu, pakudanidzira rusununguko umwe neumwe kune wekwake, uye maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa nezita rangu.
  19934. Jer 34:16 Asi makadzoka ndokusvibisa zita rangu, ndokudzosa umwe neumwe nhapwa yake, uye umwe neumwe nhapwakadzi yake, dzamaiva marega dziende dzakasununguka nechido chadzo; mukavaisa pasi kuva nhapwa nenhapwakadzi dzenyu.
  19935. Jer 34:17 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Imwi hamuna kunditeerera, kudanidzira rusununguko, umwe neumwe kuhama yake, uye umwe neumwe kune wekwake; tarirai, ndichadanidzira kwamuri, anoreva Jehovha, rusununguko pamunondo, pahosha, nepanzara; uye ndichakupai kuva chityiso kuushe hwose hwenyika.
  19936. Jer 34:18 Zvino ndichapa varume vakadarika sungano yangu, vasina kusimbisa mashoko esungano yavakaita pamberi pangu, mhuru yavakapamura kuita mbiri, ndokudarika nepakati penhindi dzayo:
  19937. Jer 34:19 Machinda aJudha, nemachinda eJerusarema, vatenwa, nevapristi, nevanhu vose venyika, vakapfuura nepakati penhindi dzemhuru.
  19938. Jer 34:20 Hongu, ndichavapa muruoko rwevavengi vavo, nemuruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo; uye zvitunha zvavo zvichava zvekudya zveshiri dzematenga nezvemhuka dzepanyika.
  19939. Jer 34:21 NaZedhekia mambo waJudha nemachinda ake ndichavapa muruoko rwevavengi vavo, nemuruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo, nemuruoko rwehondo yamambo weBhabhironi, ivo vakakwira kubva kwamuri.
  19940. Jer 34:22 Tarirai, ndicharaira, anoreva Jehovha, nekuvadzosa kuguta iri; uye vacharwa naro ndokuritora ndokuripisa nemoto; zvino ndichaita maguta aJudha dongo risina mugari.
  19941. Jer 35:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha pamazuva aJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha, richiti:
  19942. Jer 35:2 Enda kuimba yevaRekabhi ugotaura kwavari, uye uuye navo kuimba yaJehovha, mune rimwe remakamuri, ugovapa waini kuti vanwe.
  19943. Jer 35:3 Zvino ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake, nevanakomana vake vose, neimba yose yevaRekabhi.
  19944. Jer 35:4 Zvino ndakauya navo muimba yaJehovha, mukamuri revanakomana vaHanani mwanakomana waIghidharia, munhu waMwari, yaiva pedo pakamuri remachinda, raiva pamusoro pekamuri raMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
  19945. Jer 35:5 Zvino ndakaisa pamberi pevanakomana veimba yevaRekabhi mbiya dzizere newaini, nemikombe, ndokuti kwavari: Inwai waini.
  19946. Jer 35:6 Asi vakati: Hatinwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi baba vedu wakatiraira achiti: Musanwa waini, imwi nevanakomana venyu kusvika rinhi narinhi.
  19947. Jer 35:7 Uye musavaka imba, musadzvara mbeu, musasima munda wemizambiringa, musava nazvo; asi mazuva enyu ose muchagara mumatende, kuti murarame mazuva mazhinji pachiso chenyika pamunogara muri vatorwa.
  19948. Jer 35:8 Naizvozvo takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi baba vedu pane zvose zvaakatiraira, kuti tisanwa waini mazuva edu ose, isu, vakadzi vedu, vanakomana vedu, nevanasikana vedu;
  19949. Jer 35:9 uye kuti tisazvivakira dzimba dzekugara, uye kuti tisava nemunda wemizambiringa, kana munda, kana mbeu;
  19950. Jer 35:10 asi takagara mumatende, ndokuteerera, uye takaita zvinoenderana nezvose Jonadhabhi baba vedu zvavakatiraira.
  19951. Jer 35:11 Asi zvakaitika Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paakakwira panyika, kuti takati: Uyai, zvino ngatiende kuJerusarema nekuda kwehondo yevaKaradhiya, uye nekuda kwehondo yevaSiriya; naizvozvo tigere paJerusarema.
  19952. Jer 35:12 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richiti:
  19953. Jer 35:13 Anoreva seizvi Jehovha wehondo Mwari waIsraeri: Enda unotaura kuvarume vaJudha nevagari veJerusarema, uti: Hamugamuchiri kurairirwa kuti muteerere kumashoko angu here? anoreva Jehovha.
  19954. Jer 35:14 Anosimbiswa mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti vasanwa waini; nokuti havanwi kusvika zuva iri, asi vanoteerera murairo wababa vavo. Neni ndataura kwamuri, ndichimuka mangwanani ndokutaura, asi hamuna kunditeerera.
  19955. Jer 35:15 Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichituma ndichiti: Dzokai zvino umwe neumwe panzira yake yakaipa, muite zviito zvenyu zvive zvakanaka, uye musatevera vamwe vamwari kuti muvashumire, zvino muchagara munyika yandakakupai imwi nemadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve yenyu, uye hamuna kuteerera kwandiri.
  19956. Jer 35:16 Nokuti vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakasimbisa murairo wababa vavo, wavakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
  19957. Jer 35:17 naizvozvo anoreva seizvi Jehovha Mwari wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichauisa pamusoro paJudha nepamusoro pevose vagari veJerusarema chakaipa chose chandataura pamusoro pavo; nokuti ndakataura kwavari asi havana kunzwa, uye ndakadana kwavari asi havana kupindura.
  19958. Jer 35:18 Zvino Jeremiya wakati kuimba yevaRekabhi: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Nekuda kwekuti makateerera murairo waJonadhabhi baba venyu, nekuchengeta zviga zvavo zvose, nekuita zvose sezvaakakurairai,
  19959. Jer 35:19 naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Hakungagurwi munhu kuna Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi ungamira pamberi pangu mazuva ose.
  19960. Jer 36:1 Zvino zvakaitika mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:
  19961. Jer 36:2 Zvitorere rugwaro rwakapetwa, ugonyora marwuri mashoko ose andakataura kwauri pamusoro paIsraeri, nepamusoro paJudha, nepamusoro pemarudzi ose, kubva pazuva randakataura kwauri, kubva pamazuva aJosiya kusvika pazuva rino.
  19962. Jer 36:3 Zvimwe imba yaJudha ichanzwa chakaipa chose chandinofunga kuita kwavari, kuti vadzoke umwe neumwe panzira yake yakaipa, kuti ndikanganwire uipi hwavo nechivi chavo.
  19963. Jer 36:4 Zvino Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeriya; Bharuki ndokunyora kubva pamuromo paJeremiya mashoko ose aJehovha aaiva ataura kwaari parugwaro rwakapetwa.
  19964. Jer 36:5 Zvino Jeremiya wakaraira Bharuki achiti: Ndakadzivirirwa, handigoni kupinda muimba yaJehovha.
  19965. Jer 36:6 Naizvozvo chienda iwe, unoverenga murugwaro rwakapetwa rwawakanyora kubva pamuromo pangu, mashoko aJehovha munzeve dzevanhu muimba yaJehovha pazuva rekutsanya; uye uchaaverenga munzeve dzaJudha wose anobva mumaguta avo.
  19966. Jer 36:7 Zvimwe kunyengetera kwavo kuchawira pamberi paJehovha; uye vakadzoka umwe neumwe panzira yake yakaipa; nokuti kutsamwa nehasha Jehovha zvaakataura pamusoro pevanhu ava zvikuru.
  19967. Jer 36:8 Zvino Bharuki mwanakomana waNeriya wakaita zvinoenderana nezvose Jeremiya muporofita zvaakamuraira, achiverenga mubhuku mashoko aJehovha muimba yaJehovha.
  19968. Jer 36:9 Zvino zvakaitika mugore reshanu raJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha mumwedzi wepfumbamwe, vakadanidzira mutsanyo pamberi paJehovha kuvanhu vose paJerusarema nekuvanhu vose vaibva mumaguta aJudha kuuya kuJerusarema.
  19969. Jer 36:10 Zvino Bharuki wakaverenga mubhuku mashoko aJeremiya muimba yaJehovha, mukamuri raGemaria mwanakomana waShafani munyori, muchivanze chekumusoro pakupinda pasuwo idzva reimba yaJehovha, munzeve dzevanhu vose.
  19970. Jer 36:11 Mikaya mwanakomana waGemaria mwanakomana waShafani wakati anzwa mashoko ose aJehovha kubva mubhuku,
  19971. Jer 36:12 ndokuburukira kuimba yamambo mukamuri remunyori; zvino tarira, machinda ose agerepo: Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekia mwanakomana waHananiya, nemachinda ose.
  19972. Jer 36:13 Zvino Mikaya wakavaparidzira mashoko ose aaiva anzwa, Bharuki paakaverenga mubhuku munzeve dzevanhu.
  19973. Jer 36:14 Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti: Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakaverenga munzeve dzevanhu ugouya. Naizvozvo Bharuki mwanakomana waNeriya wakatora rugwaro rwakapetwa muruoko rwake ndokusvika kwavari.
  19974. Jer 36:15 Zvino vakati kwaari: Gara pasi ikozvino, ugorwuverenga munzeve dzedu. Naizvozvo Bharuki wakaverenga munzeve dzavo.
  19975. Jer 36:16 Zvino zvakaitika pavaiva vanzwa mashoko ose vakatya, umwe kune umwe, ndokuti kuna Bharuki: Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.
  19976. Jer 36:17 Zvino vakabvunza Bharuki vachiti: Zvino tiudze, wakanyora sei mashoko ose awa kubva mumuromo make?
  19977. Jer 36:18 Zvino Bharuki wakati kwavari: Kubva mumuromo make wakandidudzira mashoko awa ose, zvino ndakanyora neingi mubhuku.
  19978. Jer 36:19 Zvino machinda akati kuna Bharuki: Endai munovanda, iwe naJeremiya; uye kusava nemunhu anoziva kwamunenge muri.
  19979. Jer 36:20 Zvino vakapinda kuna mambo muchivanze, asi vakaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri raErishama munyori, ndokutaura mashoko ose munzeve dzamambo.
  19980. Jer 36:21 Zvino mambo wakatuma Jehudhi kunotora rugwaro rwakapetwa, iye ndokurwutora mukamuri raErishama munyori. Jehudhi ndokurwuverenga munzeve dzamambo nemunzeve dzemachinda ose aiva amire pana mambo.
  19981. Jer 36:22 Zvino mambo wakagara paimba yemuchando mumwedzi wepfumbamwe; moto uchipfuta pamberi pake muchoto.
  19982. Jer 36:23 Zvino zvakaitika Jehudhi averenga mashizha matatu kana mana, wakarwugura nepeni yemunyori ndokukanda mumoto waiva muchoto kusvika rugwaro rwakapetwa rwapedzwa mumoto waiva muchoto.
  19983. Jer 36:24 Asi havana kutya, uye havana kubvarura nguvo dzavo, mambo nevaranda vake vose vakanzwa mashoko awa ose.
  19984. Jer 36:25 Zvakadarowo Erinatani naDheraia naGemaria vaiva vanyengetera kuna mambo kuti asapisa rugwaro rwakapetwa; asi haana kuvateerera.
  19985. Jer 36:26 Asi mambo wakaraira Jerameeri mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate Bharuki munyori naJeremiya muporofita; asi Jehovha wakavaviga.
  19986. Jer 36:27 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya shure kwekunge mambo apisa rugwaro rwakapetwa, nemashoko Bharuki aaiva anyora kubva mumuromo maJeremiya, richiti:
  19987. Jer 36:28 Zvitorerezve rwumwe rugwaro rwakapetwa ugonyora marwuri mashoko ose ekutanga aiva murugwaro rwakapetwa rwekutanga, Jehoyakimu mambo waJudha rwaapisa.
  19988. Jer 36:29 Uye uchati kuna Jehoyakimu mambo waJudha: Anoreva seizvi Jehovha: Iwe wapisa rugwaro rwakapetwa urwu uchiti: Wanyorereimo uchiti: Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya ndokuparadza nyika iyi, nekugumisamo munhu nechipfuwo?
  19989. Jer 36:30 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano naJehoyakimu mambo waJudha: Haangavi neachagara pachigaro cheushe chaDhavhidhi; uye chitunha chake chichakandirwa kunze mukupisa nezuva nemukutonhora neusiku.
  19990. Jer 36:31 Zvino ndichamuranga iye nembeu yake nevaranda vake nekuda kweuipi hwavo, uye ndichauisa pamusoro pavo nepamusoro pevagari veJerusarema nepamusoro pevarume vaJudha chakaipa chose chandakataura pamusoro pavo; asi havana kuteerera.
  19991. Jer 36:32 Zvino Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, ndokurwupa kuna Bharuki munyori, mwanakomana waNeriya; uyo wakanyora marwuri kubva mumuromo maJeremiya mashoko ose ebhuku Jehoyakimu mambo waJudha raaiva apisa mumoto; uye kwakawedzerwa kwaari mashoko mazhinji akafanana nawo.
  19992. Jer 37:1 Zvino mambo Zedhekia mwanakomana waJosiya wakatonga pachinzvimbo chaKoniya mwanakomana waJehoyakimu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi waakaita mambo panyika yaJudha.
  19993. Jer 37:2 Asi havana kuteerera, iye nevaranda vake nevanhu venyika, mashoko aJehovha aakataura neruoko rwemuporofita Jeremiya.
  19994. Jer 37:3 Zvino Zedhekia mambo wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, kumuporofita Jeremiya, achiti: Tinyengeterere hako kuna Jehovha Mwari wedu.
  19995. Jer 37:4 Zvino Jeremiya wakapinda nekubuda pakati pevanhu, nokuti vaiva vasina kumuisa mutirongo.
  19996. Jer 37:5 Zvino hondo yaFarao yaiva yabuda kubva muEgipita; vaKaradhiya vaiva vakakomba Jerusarema vakati vachinzwa runyerekupe rwavo vakakwira kubva paJerusarema.
  19997. Jer 37:6 Zvino rakasvika shoko raJehovha kumuporofita Jeremiya, richiti:
  19998. Jer 37:7 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Muchareva seizvi kuna mambo waJudha wakakutumai kwandiri kuzondibvunza: Tarirai, hondo yaFarao yabuda kukubatsirai ichadzokera kunyika yayo kuEgipita.
  19999. Jer 37:8 Zvino vaKaradhiya vachadzokazve ndokurwa neguta iri ndokuritora ndokuripisa nemoto.
  20000. Jer 37:9 Anoreva seizvi Jehovha: Musazvinyengera muchiti: VaKaradhiya vachabva kwatiri zvirokwazvo. Nokuti havangabvi.
  20001. Jer 37:10 Nokuti kunyange mairova hondo yose yevaKaradhiya vanorwa nemwi, ndokusara varume vakakuvara pakati pavo, vaimuka umwe neumwe mutende rake ndokupisa guta iri nemoto.
  20002. Jer 37:11 Zvino zvakaitika kuti hondo yevaKaradhiya payakakwira kubva paJerusarema nekuda kwehondo yaFarao,
  20003. Jer 37:12 Jeremiya wakabuda muJerusarema kuenda kunyika yevaBhenjamini, kuzogamuchira mugovepo pakati pevanhu.
  20004. Jer 37:13 Zvino zvakaitika ava pasuwo raBhenjamini, paivapo ipapo mukuru wevarindi, zita rake raiva Irija mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya; zvino wakabata Jeremiya muporofita, achiti: Iwe wapandukira kuvaKaradhiya.
  20005. Jer 37:14 Jeremiya ndokuti: Inhema, handina kupandukira kuvaKaradhiya. Asi haana kumuteerera. Naizvozvo Irija wakabata Jeremiya ndokumuuisa kumachinda.
  20006. Jer 37:15 Zvino machinda akatsamwira Jeremiya, ndokumurova, ndokumuisa mutirongo muimba yaJonatani munyori; nokuti vaiva vaiita tirongo.
  20007. Jer 37:16 Jeremiya paakapinda muimba yegomba, nemumakamuri, Jeremiya wakagaramo mazuva mazhinji,
  20008. Jer 37:17 mambo Zedhekia ndokutuma kunomutora; mambo ndokumubvunza pachivande muimba yake, ndokuti: Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Jeremiya ndokuti: Ririko. Akati: Muchapiwa muruoko rwamambo weBhabhironi.
  20009. Jer 37:18 Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia: Ndakakutadzirai chii, imwi nevaranda venyu nevanhu venyu, zvamandiisa mutirongo?
  20010. Jer 37:19 Varipi ikozvino vaporofita venyu vakaporofita kwamuri vachiti: Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemwi, kana kurwa nenyika iyi?
  20011. Jer 37:20 Naizvozvo inzwai ikozvino henyu, ishe wangu mambo; dai kunyengetera kwangu kwamuri kwagamuchirwa pamberi penyu, kuti musandidzosa kuimba yaJonatani munyori, zvimwe ndifiremo.
  20012. Jer 37:21 Naizvozvo mambo Zedhekia wakaraira kuti vaise Jeremiya muchivanze chetirongo, uye kuti apiwe bundu rechingwa zuva nezuva chinobva munzira yemuguta yevabiki vechingwa, kusvika chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya wakagara muchivanze chetirongo.
  20013. Jer 38:1 Zvino Shefatiya mwanakomana waMatani, naGedhariya mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikiya, vakanzwa mashoko Jeremiya aakataura kuvanhu vose, achiti:
  20014. Jer 38:2 Anoreva seizvi Jehovha: Anosara muguta iri achafa nemunondo, nenzara, uye nehosha; asi anobuda kuenda kuvaKaradhiya achararama, nokuti achava neupenyu hwake huve chakapambiwa ararame.
  20015. Jer 38:3 Anoreva seizvi Jehovha: Guta iri richapiwa zvirokwazvo muruoko rwehondo yamambo weBhabhironi, uye acharitapa.
  20016. Jer 38:4 Zvino machinda akati kuna mambo: Tinokumbira, munhu uyu ngaauraiwe, nokuti saizvozvo anoshaisa simba maoko evarume vehondo vakasara muguta iri, nemaoko evanhu vose, pakutaura mashoko akadaro kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki rugare rwevanhu ava, asi zvakaipa.
  20017. Jer 38:5 Zvino Zedhekia mambo wakati: Tarirai, ari muruoko rwenyu, nokuti mambo haagoni kuita chinhu chinopokana nemwi.
  20018. Jer 38:6 Zvino vakatora Jeremiya ndokumukandira mugomba raMarikiya mwanakomana wamambo, raiva muchivanze chetirongo, ndokuburutsa Jeremiya nemabote; uye mugomba maiva musina mvura asi nhope; Jeremiya ndokunyura munhope.
  20019. Jer 38:7 Zvino Ebhedhi-Mereki muItiyopiya, murume mutenwa waiva muimba yamambo wakanzwa kuti vaisa Jeremiya mugomba, mambo paaiva agere pasuwo raBhenjamini.
  20020. Jer 38:8 Zvino Ebhedhi-Mereki wakabuda muimba yamambo, ndokutaura kuna mambo achiti:
  20021. Jer 38:9 Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pane zvose zvavakaita kumuporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; nokuti achafa panzvimbo yake nekuda kwenzara, nokuti hamuchina chingwa muguta.
  20022. Jer 38:10 Zvino mambo wakaraira Ebhedhi-Mereki muItiyopiya, achiti: Tora kubva pano varume makumi matatu pasi peruoko rwako, mugosimudza Jeremiya muporofita kubva mugomba asati afa.
  20023. Jer 38:11 Naizvozvo Ebhedhi-Mereki wakatora varume pasi peruoko rwake, ndokuenda muimba yamambo kusvika ava pasi pechivigiro, ndokutorapo nguvo dzakasakara nemamvemve akasakara, akazviburusira nemabote mugomba kuna Jeremiya.
  20024. Jer 38:12 Zvino Ebhedhi-Mereki muItiyopiya wakati kuna Jeremiya: Isa hako mamvemve akasakara awa nenguvo dzakasakara pasi pehapwa dzako pasi pemabote. Jeremiya ndokuita saizvozvo.
  20025. Jer 38:13 Naizvozvo vakakweva Jeremiya nemabote ndokumubudisa mugomba; Jeremiya ndokuramba ari muchivanze chetirongo.
  20026. Jer 38:14 Zvino mambo Zedhekia wakatumira ndokutora Jeremiya muporofita kumuisa kwaari panopindwa napo pechitatu paiva muimba yaJehovha; mambo ndokuti kuna Jeremiya: Ndichakubvunza nyaya; usandivanzira chinhu.
  20027. Jer 38:15 Jeremiya ndokuti kuna Zedhekia: Kana ndikakuzivisai, hamungandiurayi zvekundiuraya here? Uye kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.
  20028. Jer 38:16 Naizvozvo mambo Zedhekia wakapika kuna Jeremiya pachivande, akati: NaJehovha mupenyu, wakatiitira mweya weupenyu uyu: Zvirokwazvo handingakuurayi, uye zvirokwazvo handingakupi muruoko rwevarume ava vanotsvaka upenyu hwako.
  20029. Jer 38:17 Zvino Jeremiya wakati kuna Zedhekia: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsraeri: Kana ukabuda zvirokwazvo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya weupenyu wako uchararama, uye guta iri haringapiswi nemoto, uye uchararama iwe neimba yako.
  20030. Jer 38:18 Asi kana ukasabudira kumachinda amambo weBhabhironi, guta iri richapiwa muruoko rwevaKaradhiya; vagoripisa nemoto; newe haungapukunyuki kubva muruoko rwavo.
  20031. Jer 38:19 Zvino Zedhekia mambo wakati kuna Jeremiya: Ndinotya vaJudha vakapandukira kuvaKaradhiya, zvimwe vangandipa muruoko rwavo, ivo ndokundiseka.
  20032. Jer 38:20 Jeremiya ndokuti: Havangakupi kwavari. Teerera hako inzwi raJehovha pane zvandiri kukuudzai; saizvozvo zvichakunakira uye mweya weupenyu wako uchararama.
  20033. Jer 38:21 Asi kana ukaramba kuenda, heri shoko Jehovha raandiratidza:
  20034. Jer 38:22 Ipapo tarirai, vakadzi vose vakasara muimba yamambo waJudha vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi. Uye vachati: Shamwari dzenyu dzakakunyengerai dzakakukundai; tsoka dzenyu dzonyura munhope, vanodzokera shure.
  20035. Jer 38:23 Zvino vachabudisira vakadzi vako vose nevana vako kuvaKaradhiya; newe haungapukunyuki kubva muruoko rwavo; asi uchabatwa neruoko rwamambo weBhabhironi; neguta iri ucharipisa nemoto.
  20036. Jer 38:24 Zvino Zedhekia wakati kuna Jeremiya: Ngakurege kuva nemunhu anoziva mashoko awa, uye haungafi.
  20037. Jer 38:25 Asi kana machinda akanzwa kuti ndataura kwauri ndokuuya kwauri ndokuti kwauri: Tiudze hako zvawaudza mambo, usazvivanza kwatiri, zvino hatingakuurayi, uyewo mambo zvaareva kwauri.
  20038. Jer 38:26 Ipapo uchati kwavari: Ndawisira chikumbiro changu pamberi pamambo, kuti asandidzoseresa kumba kwaJonatani kuti ndifireko.
  20039. Jer 38:27 Zvino machinda ose akasvika kuna Jeremiya, ndokumubvunza, iye ndokuvaudza zvichienderana nemashoko ose awa mambo aakaraira. Ndokunyarara kwaari, nokuti nyaya yaiva isina kunzwikwa.
  20040. Jer 38:28 Zvino Jeremiya wakagara muchivanze chetirongo kusvika zuva rakatapwa Jerusarema. Waivapo Jerusarema parakatapwa.
  20041. Jer 39:1 Mugore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose vakasvika kurwisa Jerusarema ndokurikomba.
  20042. Jer 39:2 Mugore regumi nerimwe raZedhekia, mumwedzi wechina, nezuva repfumbamwe remwedzi guta rakakoromorwa.
  20043. Jer 39:3 Zvino machinda ose amambo weBhabhironi akapinda ndokugara pasuwo repakati, Nerigari-Sari-Ezeri, Samigari-Nebhu, Sari-Sekimu, Rabhi-Sarisi, Nerigari-Sari-Ezeri, Rabhi-Magi, pamwe nevose vamwe vemachinda amambo weBhabhironi.
  20044. Jer 39:4 Zvino zvakaitika Zedhekia mambo waJudha nevarume vose vehondo pavakavaona, vakatiza, vakabuda muguta usiku nenzira yebindu ramambo pasuwo pakati pemasvingo maviri; zvino akabuda nenzira yebani.
  20045. Jer 39:5 Asi hondo yevaKaradhiya yakadzingirirana navo, ndokubata Zedhekia pamapani eJeriko. Zvino vakati vamubata, vakamukwidza kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati; iye ndokutaura mitongo paari.
  20046. Jer 39:6 Zvino mambo weBhabhironi wakauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira pamberi pemeso ake; mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
  20047. Jer 39:7 Zvino wakapofumadza meso aZedhekia, ndokumusunga neketani mbiri dzendarira kumutakurira kuBhabhironi.
  20048. Jer 39:8 Zvino vaKaradhiya vakapisa imba yamambo nedzimba dzevanhu nemoto, ndokukoromora masvingo eJerusarema.
  20049. Jer 39:9 Zvino vakasara vevanhu vakasiiwa paguta, nevakapanduka vakapandukira kwaari, nevakasara vevanhu vakasiiwa, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavatapira kuBhabhironi.
  20050. Jer 39:10 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe vevarombo pavanhu, vaiva vasina chinhu, ndokuvapa minda yemizambiringa neminda nezuva iroro.
  20051. Jer 39:11 Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakaraira neruoko rwaNebhuzaradhani mukuru wevarindi pamusoro paJeremiya achiti:
  20052. Jer 39:12 Mutore, uise meso ako paari, usamuitira chinhu chakaipa, asi uite kwaari zvinoenderana nekutaura kwake kwauri.
  20053. Jer 39:13 Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakatumira shoko, naNebhushazibhani Rabhi-Sarisi, naNerigari-Sari-Ezeri Rabhi-Magi, nevakuru vose vamambo weBhabhironi,
  20054. Jer 39:14 uye vakatumira ndokutora Jeremiya muchivanze chetirongo ndokumupa kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani, kuti amubudisire kumba; naizvozvo wakagara pakati pevanhu.
  20055. Jer 39:15 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paaiva akapfigirwa muchivanze chetirongo richiti:
  20056. Jer 39:16 Enda unotaura kuna Ebhedhi-Mereki muItiyopiya uchiti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarira, ndichaunza mashoko angu kuguta iri pane zvakaipa uye kwete pane zvakanaka; uye achava pamberi pako nezuva iro.
  20057. Jer 39:17 Asi ndichakununura nezuva iro, anoreva Jehovha; uye haungapiwi muruoko rwevanhu vaunotya.
  20058. Jer 39:18 Nokuti ndichakununura zvekukununura, uye haungawi nemunondo, asi upenyu hwako huchava chakapambwa kwauri, nokuti wavimba neni, anoreva Jehovha.
  20059. Jer 40:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha shure kwekunge Nebhuzaradhani mukuru wevarindi amurega achienda kubva paRamah, paaiva amutora akasungwa mumaketani pakati pevose vakatapwa veJerusarema nekwaJudha, vakatapirwa kuBhabhironi.
  20060. Jer 40:2 Zvino mukuru wevarindi wakatora Jeremiya ndokuti kwaari: Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo iyi.
  20061. Jer 40:3 Zvino Jehovha wazviunza ndokuita sezvaakareva, nokuti makatadzira Jehovha, uye hamuna kuteerera inzwi rake; naizvozvo chinhu ichi chakaitika kwamuri.
  20062. Jer 40:4 Zvino ikozvino, tarira, ndinokusunungurira nhasi pamaketani ari paruoko rwako. Kana zvakanaka pameso ako kuti uende neni kuBhabhironi, uya; zvino ini ndichaisa ziso rangu pamusoro pako; asi kana zvakaipa pameso ako kuenda neni kuBhabhironi, rega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; uko kwakanaka uye kwakarurama pameso ako kuenda, endako.
  20063. Jer 40:5 Asi asati adzokera, wakati: Dzokera kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani, mambo weBhabhhironi waakagadza kuva mubati wemaguta aJudha, ugogara naye pakati pevanhu, kana kupi nekupi kwakarurama pameso ako kuendako, enda. Naizvozvo mukuru wevarindi wakamupa mbuva nechipo, ndokumurega achienda.
  20064. Jer 40:6 Zvino Jeremiya wakasvika kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami paMizipa, ndokugara naye pakati pevanhu vasiiwa panyika.
  20065. Jer 40:7 Kwakati vakuru vose vehondo vaiva vari mumasango, ivo nevarume vavo vanzwa kuti mambo weBhabhironi waiva aita Gedhariya mwanakomana waAhikami mubati munyika, uye kuti wapa kwaari varume nevakadzi nevanana, nekuvarombo venyika, kune vaiva vasina kutapirwa kuBhabhironi,
  20066. Jer 40:8 ipapo vakauya kuna Gedhariya paMizipa, naIshimaeri mwanakomana waNetaniya, naJohwanani naJonatani vanakomana vaKareya, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, nevanakomana vaEfai muNetofati, naJezaniya mwanakomana wemuMaakati, ivo nevarume vavo.
  20067. Jer 40:9 Uye Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani wakapika kwavari nekuvarume vavo achiti: Musatya kushumira vaKaradhiya; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, zvino zvichakunakirai.
  20068. Jer 40:10 Zvino tarirai, ini ndinogara paMizipa, kuti ndimire pamberi pevaKaradhiya vachasvika kwatiri; asi imwi unganidzai waini nezvibereko zvezhizha nemafuta, mugoisa mumidziyo yenyu, uye mugare mumaguta enyu amakatora.
  20069. Jer 40:11 Saizvozvo vaJudha vose vaiva paMoabhu, nepakati pevana vaAmoni, nepaEdhomu, nevaiva panyika dzose, pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi waiva asiya vakasiiwa muJudha, uye kuti waiva aisa pamusoro pavo Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani,
  20070. Jer 40:12 zvino vaJudha vose vakadzoka kubva panzvimbo dzose kwavaiva vadzingirwa, ndokusvika panyika yaJudha, kuna Gedhariya paMizipa, ndokuunganidza waini nezvibereko zvezhizha zvikawanda kwazvo.
  20071. Jer 40:13 NaJohwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedhariya paMizipa,
  20072. Jer 40:14 ndokuti kwaari: Munoziva zvirokwazvo here kuti Bhaarisi mambo wevana vaAmoni wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetaniya kukurovai pamweya weupenyu? Asi Gedhariya mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
  20073. Jer 40:15 Ipapo Johwanani mwanakomana waKareya wakataura naGedhariya pachivande paMizipa, achiti: Regai henyu ndiende ndirove Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, zvino hakuna achaziva. Achakuroverei paupenyu, kuti vaJudha vose vakaungana kwauri vaparadzirwe, nevakasara vaJudha vaparare?
  20074. Jer 40:16 Asi Gedhariya mwanakomana waAhikami wakati kuna Johwanani mwanakomana waKareya: Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.
  20075. Jer 41:1 Zvino zvakaitika mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama, werudzi rweumambo, nevakuru vamambo, nevarume gumi pamwe naye, vakasvika kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami paMizipa; uye ipapo vakadya chingwa pamwe paMizipa.
  20076. Jer 41:2 Zvino kwakasimuka Ishimaeri mwanakomana waNetaniya nevarume gumi vaiva naye, ndokurova Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani nemunondo, ndokumuuraya, iye mambo weBhabhironi waaiva aita mubati pamusoro penyika.
  20077. Jer 41:3 Ishimaeri wakaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naGedhariya paMizipa, nevaKaradhiya vakawanikwapo, varume vehondo.
  20078. Jer 41:4 Zvino zvakaitika nezuva rechipiri shure kwekunge auraya Gedhariya, uye pasina wakaziva,
  20079. Jer 41:5 kuti kwakasvika vamwe kubva kuShekemu, kuShiro, nekuSamariya, varume makumi masere, vane ndebvu dzakavevurwa nenguvo dzakabvarurwa, uye vakazvicheka-cheka, vane zvipo nezvipfungaidzo zvinonhuhwira muruoko rwavo kuuisa kuimba yaJehovha.
  20080. Jer 41:6 Zvino Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakabuda paMizipa kunovachingamidza, achifamba achingochema musodzi; zvino zvakaitika paakasangana navo, wakati kwavari: Uyai kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami.
  20081. Jer 41:7 Ndokuti pavakasvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakavauraya ndokukanda mukati megomba, iye nevarume vaiva naye.
  20082. Jer 41:8 Asi kwakawanikwa varume gumi pakati pavo vakati kuna Ishimaeri: Musatiuraya, nokuti tine matura mumunda, egorosi, nebhari, nemafuta, neuchi. Naizvozvo wakarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
  20083. Jer 41:9 Zvino gomba Ishimaeri raakakandirapo zvitunha zvose zvevarume vaaiva auraya pamwe naGedhariya, raiva iro mambo Asa raakaita nekuda kwekutya Bhaasha mambo waIsraeri. Ishimaeri mwanakomana waNetaniya akarizadza nevakaurawa.
  20084. Jer 41:10 Zvino Ishimaeri wakatapa vakasara vose vevanhu vaiva paMizipa, vakunda vamambo, nevanhu vose vakasara paMizipa, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavaisa kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami; Ishimaeri mwanakomana waNetaniya ndokuvatapa, ndokufamba kuti ayambukire kuvana vaAmoni.
  20085. Jer 41:11 Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo vaiva naye, pavakanzwa zvakaipa zvose Ishimaeri mwanakomana waNetaniya zvaakaita,
  20086. Jer 41:12 ndokutora varume vose ndokuenda kunorwa naIshimaeri mwanakomana waNetaniya, ndokumuwana pamvura zhinji iri paGibhiyoni.
  20087. Jer 41:13 Zvino zvakaitika vanhu vose vaiva naIshimaeri pavakaona Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo vaiva naye, vakafara.
  20088. Jer 41:14 Zvino vanhu vose Ishimaeri vaaiva atapa kubva paMizipa vakatendeuka ndokudzoka ndokuenda kuna Johwanani mwanakomana waKareya.
  20089. Jer 41:15 Asi Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakapukunyuka kubva pana Johwanani ane varume vasere, ndokuenda kuvana vaAmoni.
  20090. Jer 41:16 Johwanani mwanakomana waKareya nevakuru vose vedzihondo vaiva naye ndokutora vakasara vose vevanhu vaaiva adzosa kubva kuna Ishimaeri mwanakomana waNetaniya paMizipa, shure kwekunge auraya Gedhariya mwanakomana waAhikami: Varume vakasimba, varume vehondo, nevakadzi, nevanana, nevatenwa, vaaiva adzosa kubva paGibhiyoni.
  20091. Jer 41:17 Zvino vakabva ndokugara paGeruti-Kimhami riri paBheterehemu, kuti vafambe vapinde muEgipita,
  20092. Jer 41:18 nekuda kwevaKaradhiya; nokuti vaivatya, nokuti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakauraya Gedhariya mwanakomana waAhikami, mambo weBhabhironi waaiva aita mubati pamusoro penyika.
  20093. Jer 42:1 Zvino vakaswedera vakuru vose vedzihondo, naJohwanani mwanakomana waKareya, naJezaniya mwanakomana waHoshaiya, nevanhu vose kubva kumudikisa kusvika kumukurusa,
  20094. Jer 42:2 ndokuti kuna Jeremiya muporofita: Dai mukumbiro wedu wawira pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, pamusoro pevakasara vose ava; nokuti takasara tiri vashoma kubva pavazhinji, meso enyu sezvaanotiona;
  20095. Jer 42:3 kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatichafamba mairi, nechinhu chatichaita.
  20096. Jer 42:4 Zvino Jeremiya muporofita wakati kwavari: Ndanzwa; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu zvichienderana nemashoko enyu; zvino zvichaitika kuti chinhu chipi nechipi Jehovha chaachakupindurai, ndichazivisa kwamuri; handingakunyimii chinhu.
  20097. Jer 42:5 Zvino ivo vakati kuna Jeremiya: Jehovha ngaave chapupu chechokwadi nechakatendeka pakati pedu, kana tikasaita saizvozvo, zvinoenderana neshoko rose Jehovha Mwari wenyu raachakutumai kwatiri naro.
  20098. Jer 42:6 Kana zvakanaka uye kana zvakaipa, tichateerera kuinzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari; kuti zvitinakire, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
  20099. Jer 42:7 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva gumi kuti kwakava neshoko raJehovha kuna Jeremiya.
  20100. Jer 42:8 Zvino wakadana Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo vaiva naye, nevanhu vose kubva kumudikisa kusvika kumukurusa.
  20101. Jer 42:9 Ndokuti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri wamakanditumira kwaari kuti ndiwisire chikumbiro chenyu pamberi pake:
  20102. Jer 42:10 Kana muchigara zvekugara munyika iyi, ipapo ndichakuvakai, uye ndirege kukoromora, uye ndichakusimai ndigorega kudzura; nokuti ndinozvidemba pane zvakaipa zvandakaita kwamuri.
  20103. Jer 42:11 Musatya mambo weBhabhironi wamunotya; musamutya, anoreva Jehovha; nokuti ndinemwi kukuponesei nekukununurai kubva paruoko rwake.
  20104. Jer 42:12 Zvino ndichakupai nyasha huru, kuti iye ave nenyasha nemwi, nekukudzoserai kunyika yekwenyu.
  20105. Jer 42:13 Asi kana mukati: Hatingagari munyika iyi, kuti musateerera kuinzwi raJehovha Mwari wenyu,
  20106. Jer 42:14 muchiti: Kwete, asi tichaenda kunyika yeEgipita, kwatisingazooni hondo, uye kwete kunzwa inzwi rehwamanda, uye kwete kuona nzara yezvekudya, uye tichanogarako;
  20107. Jer 42:15 zvino ikozvino inzwai naizvozvo shoko raJehovha, vakasara vaJudha: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Kana muchirinzira kwazvo zviso zvenyu kupinda muEgipita, kana mukapinda kunogaramo sevatorwa;
  20108. Jer 42:16 zvino zvichaitika, munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeEgipita; nenzara yamunoshungurudzikira ichanamatira shure kwenyu paEgipitapo, zvino muchafirapo.
  20109. Jer 42:17 Vachava saizvozvo varume vose vakarinzira zviso zvavo kuenda kuEgipita kunogarako sevatorwa; vachafa nemunondo, nenzara, uye nehosha; uye hakuna umwe wavo uchasara kana kupukunyuka pane chakaipa chandichauisa pamusoro pavo.
  20110. Jer 42:18 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pevagari veJerusarema, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, pamuchapinda muEgipita; uye muchava chituko, nechityiso, nechakatukwa, nechinyangadzo; uye hamungaonizve nzvimbo iyi.
  20111. Jer 42:19 Jehovha wakataura pamusoro penyu, imwi vakasara vaJudha, achiti: Musapinda muEgipita; zivai kwazvo kuti ndakupupurirai nhasi.
  20112. Jer 42:20 Nokuti makanyengera mweya yeupenyu yenyu; nokuti imwi makandituma kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti: Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, uye zvichienderana nezvose Jehovha Mwari wedu zvaachareva, zivisai kwatiri sezvazviri, zvino tichazviita.
  20113. Jer 42:21 Zvino nhasi ndakuzivisai, asi hamuna kuteerera kuinzwi raJehovha Mwari wenyu, kana chipi nechipi chaakandituma kwamuri.
  20114. Jer 42:22 Naizvozvo ikozvino zivai kwazvo kuti muchafa nemunondo, nenzara, uye nehosha, panzvimbo iyo yamunofarira kuenda kunogarako sevatorwa.
  20115. Jer 43:1 Zvino zvakaitika Jeremiya apedza kutaura kuvanhu vose mashoko ose aJehovha Mwari wavo, Jehovha Mwari wavo aaiva amutuma nawo kwavari, mashoko awa ose,
  20116. Jer 43:2 kuti Azariya mwanakomana waHoshaiya, naJohwanani mwanakomana waKareya, nevanhu vose vanozvikudza, vakataura vachiti kuna Jeremiya: Unoreva nhema; Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uti: Musaenda Egipita kunogarapo sevatorwa.
  20117. Jer 43:3 Asi Bharuki mwanakomana waNeriya anokumutsa kurwisana nesu, kuti atipe muruoko rwevaKaradhiya, kuti vatiuraye nekutitapira kuBhabhironi.
  20118. Jer 43:4 Naizvozvo Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo, nevanhu vose, havana kuteerera kuinzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.
  20119. Jer 43:5 Asi Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vaiva vadzoka kumarudzi ose kwavaiva vadzingirwa, kugara sevatorwa munyika yaJudha,
  20120. Jer 43:6 varume, nevakadzi, nevanana, nevakunda vamambo, nemunhu upi neupi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi waakaisa kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwe naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeriya.
  20121. Jer 43:7 Zvino vakapinda munyika yeEgipita; nokuti havana kuteerera kuinzwi raJehovha; ndokusvika kuTapanesi.
  20122. Jer 43:8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi richiti:
  20123. Jer 43:9 Tora mabwe makuru muruoko rwako, zvino uavige muvhu pakati pezvitina, zviri pakupinda paimba yaFarao paTapanesi, pameso pevarume vaJudha.
  20124. Jer 43:10 Zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichatumira nditore Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi muranda wangu, ndiise chigaro chake cheushe pamusoro pemabwe awa andakaviga; uye achawarira pamusoro pawo jira rake reumambo.
  20125. Jer 43:11 Zvino achauya ndokurova nyika yeEgipita; avo verufu kurufu, neavo vekutapwa kukutapwa, neavo vemunondo kumunondo.
  20126. Jer 43:12 Zvino ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veEgipita; uye achadzipisa nekuvatapa; uye uchazvimonera nenyika yeEgipita semufudzi unozvimonera nenguvo yake, uye uchabvapo nerugare.
  20127. Jer 43:13 Achaputsawo shongwe dzeBheti-Shemeshi zviri zvifananidzo zviri panyika yeEgipita, uye dzimba dzavamwari veEgipita achadzipisa nemoto.
  20128. Jer 44:1 Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pevaJudha vose vaigara panyika yeEgipita, vakagara paMigidhori nepaTapanesi nepaNofi nemunyika yePatirosi, richiti:
  20129. Jer 44:2 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Imwi makaona chakaipa chose chandakauisa pamusoro peJerusarema nepamusoro pemaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, uye hapachina munhu unogara maari;
  20130. Jer 44:3 nekuda kwekuipa kwavo kwavakaita kunditsamwisa, pakuti vakaenda kunopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, kuti vashumire vamwe vamwari vavasina kuziva, ivo, imwi, nemadzibaba enyu.
  20131. Jer 44:4 Zvakadaro ndakatuma kwamuri varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichituma, ndichiti: Haiwa, musaita chinhu chinoyangadza ichi chandinovenga.
  20132. Jer 44:5 Asi havana kuteerera uye havana kurerekera nzeve yavo kuti vadzoke pakuipa kwavo, kuti vasapisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  20133. Jer 44:6 Naizvozvo hasha dzangu nekutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nemunzira dzemumusha dzeJerusarema; zvino ava nzvimbo yakaparadzwa, ava matongo, sepazuva iri.
  20134. Jer 44:7 Naizvozvo ikozvino anoreva seizvi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsraeri: Munoitirei chakaipa chikuru ichi kumweya yeupenyu yenyu, kuti muzvigurire murume nemukadzi, mwana neanoyamwa kubva pakati paJudha, kuti musazvisiira anosara?
  20135. Jer 44:8 Pakunditsamwisa nemabasa emaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira panyika yeEgipita, kwamunoenda kunogara sevatorwa, kuti muzvigure, uye kuti muve chakatukwa nechishoorwa pakati pemarudzi epanyika?
  20136. Jer 44:9 Makanganwa here zvakaipa zvemadzibaba enyu, nezvakaipa zvemadzimambo aJudha, nezvakaipa zvevakadzi vavo, nezvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvevakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nemunzira dzemuJerusarema?
  20137. Jer 44:10 Havana kuzvityora kusvika zuva iri, uye havana kutya, uye havana kufamba mumurairo wangu nemuzvimiso zvangu zvandakaisa pamberi penyu nepamberi pemadzibaba enyu.
  20138. Jer 44:11 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndinorinzira chiso changu kwamuri pane zvakaipa, nekugura Judha wose.
  20139. Jer 44:12 Uye ndichatora vakasara vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuenda kunyika yeEgipita kunogarako sevatorwa; uye vose vachapedzwa, vachawa munyika yeEgipita, vachapedzwa nemunondo, nenzara; vachafa kubva kumudikisa kusvika kumukurusa nemunondo uye nenzara; uye vachava chakatukwa, chakaraswa, nechituko, nechishoorwa.
  20140. Jer 44:13 Nokuti ndichavaranga vagere munyika yeEgipita sezvandakaranga Jerusarema, nemunondo, nenzara, uye nehosha;
  20141. Jer 44:14 kuti hakuna wakapukunyuka newakasara pane vakasara vaJudha anopinda munyika yeEgipita kunogaramo semutorwa, kuti vadzokere kunyika yaJudha, kwavakashuva kudzokera kunogarako; nokuti havazodzokeri kunze kwevachapukunyuka.
  20142. Jer 44:15 Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nevakadzi vose vaiva vamirepo, chaunga chikuru, nevanhu vose vaigara munyika yeEgipita, paPatirosi, vakapindura Jeremiya vachiti:
  20143. Jer 44:16 Shoko iri rawataura kwatiri muzita raJehovha, hatingakuteereri.
  20144. Jer 44:17 Asi tichaita zvekuita chinhu chipi nechipi chinobuda mumuromo medu, kupisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira zvipo zvechinwiwa, sezvatakaita, isu, nemadzibaba edu, madzimambo edu, nemachinda edu, mumaguta aJudha nemunzira dzemumusha dzeJerusarema; ipapo taiguta chingwa, uye taifara, uye hatina kuona chakaipa.
  20145. Jer 44:18 Asi kubva panguva yatakarega kupisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira zvipo zvechinwiwa, takashaya zvose, uye takapedzwa nemunondo uye nenzara.
  20146. Jer 44:19 Zvino pataipisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira chipo chechinwiwa, takamuitira makeke ekumushumira nekumudururira chipo chechinwiwa pasina varume vedu here?
  20147. Jer 44:20 Zvino Jeremiya wakataura kuvanhu vose, kuvarume, nekuvakadzi, nekuvanhu vose vaiva vamupindura neshoko, achiti:
  20148. Jer 44:21 Zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvamakapisa mumaguta aJudha nemunzira dzemumusha dzeJerusarema, imwi, nemadzibaba enyu, madzimambo enyu, nemachinda enyu, nevanhu venyika, Jehovha haana kuzvirangarira here, zvichibva mumurangariro wake?
  20149. Jer 44:22 Kusvika Jehovha asingachagoni kutakura nekuda kwekuipa kwezviito zvenyu, nekuda kwezvinyangadzo zvamakaita; naizvozvo nyika yenyu yava dongo, nechishamiso, nechakatukwa, isina mugari, sanhasi.
  20150. Jer 44:23 Nekuda kwekuti makapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, uye kwekuti makatadzira Jehovha, uye hamuna kuteerera kuinzwi raJehovha, uye hamuna kufamba mumurairo wake nemuzvimiso zvake nemuzvipupuro zvake; naizvozvo chakaipa ichi chaitika kwamuri sepazuva iri.
  20151. Jer 44:24 Zvino Jeremiya wakati kuvanhu vose nekuvakadzi vose: Inzwai shoko raJehovha, Judha wose ari munyika yeEgipita:
  20152. Jer 44:25 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, achiti: Imwi nevakadzi venyu mose makataura nemuromo wenyu ndokuzadzisa neruoko rwenyu muchiti: Zvirokwazvo tichaita mhiko dzedu dzatakapika, kupisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira zvipo zvechinwiwa; muchasimbisa zvirokwazvo mhiko dzenyu, nekuita zvirokwazvo mhiko dzenyu.
  20153. Jer 44:26 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, Judha vose vagere munyika yeEgipita: Tarirai, ini ndakapika nezita rangu guru, anoreva Jehovha, kuti zvirokwazvo zita rangu harichazorehwi mumuromo weupi neupi waJudha munyika yose yeEgipita, achiti: NaIshe Jehovha mupenyu!
  20154. Jer 44:27 Tarirai, ndinovarindira pane zvakaipa uye kwete pane zvakanaka; uye varume vose vaJudha vari munyika yeEgipita vachapedzwa nemunondo uye nenzara, kusvika pava nekuguma kwavo.
  20155. Jer 44:28 Zvino vanopukunyuka pamunondo vachadzokera kubuda munyika yeEgipita kuenda kunyika yaJudha vashoma pauwandu; nevakasara vose vaJudha vakauya kunyika yeEgipita kunogarako sevatorwa, vachaziva kuti shoko richamira ndera ani, rangu kana ravo.
  20156. Jer 44:29 Zvino ichi chichava chiratidzo kwamuri, anoreva Jehovha, kuti ndichakurangai panzvimbo iyi, kuti muzive kuti mashoko angu achamirisana nemwi zvirokwazvo pane chakaipa.
  20157. Jer 44:30 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichapa Farao Hofira mambo weEgipita muruoko rwevavengi vake, nemuruoko rweavo vanotsvaka upenyu hwake, sezvandakapa Zedhekia mambo waJudha muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muvengi wake, waitsvaka upenyu hwake.
  20158. Jer 45:1 Shoko Jeremiya muporofita raakataura kuna Bharuki mwanakomana waNeriya, paaiva anyora mashoko awa mubhuku zvichibva pamuromo waJeremiya, mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti:
  20159. Jer 45:2 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri kwauri, iwe Bharuki:
  20160. Jer 45:3 Iwe wakati: Nhamo kwandiri ikozvino! Nokuti Jehovha wakawedzera marwadzo pakushungurudzika kwangu; ndaneta pakugomera kwangu, uye handina kuwana zororo.
  20161. Jer 45:4 Zvino uchareva seizvi kwaari: Jehovha anoreva seizvi: Tarira, chandakavaka ndichachikoromora, uye chandakasima ndichachidzura, hongu, iyo nyika yose.
  20162. Jer 45:5 Zvino iwe uchazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndinouisa chakaipa pamusoro penyama yose, anoreva Jehovha; asi ndichakupa upenyu hwako huve chakapambwa kunzvimbo dzose kwaunoenda.
  20163. Jer 46:1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya muporofita kurwisa marudzi;
  20164. Jer 46:2 kurwisa Egipita; kurwisa hondo yaFarao-Neko mambo weEgipita, yaiva parwizi Furati paKarikemishi, iyo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi yaakarova mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha.
  20165. Jer 46:3 Gadzirirai nhovo diki nenhovo huru, muswedere pahondo.
  20166. Jer 46:4 Sungai mabhiza, uye kwirai, vatasvi vemabhiza, muzvimise mune nguwani; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzematare.
  20167. Jer 46:5 Ndakavaonerei vachishamisika, vachidzokera shure? Nevane simba vavo varoverwa pasi uye vatizira kuutiziro, uye havacheukiri shure; kutya kuri pamativi ose, anoreva Jehovha.
  20168. Jer 46:6 Anomhanyisa ngaarege kutiza, neane simba ngaarege kupukunyuka; vachagumburwa ndokuwira pasi pamaodzanyemba parutivi rwerwizi Furati.
  20169. Jer 46:7 Ndiani uyu anokwirira serwizi, mvura dzarwo dzinopopoma senzizi?
  20170. Jer 46:8 Egipita rinokwirira serwizi, uye mvura dzarwo dzinopopoma senzizi; zvino rinoti: Ndichakwirira, uye ndichafukidza nyika, ndichaparadza guta nevageremo.
  20171. Jer 46:9 Kwirai, imwi mabhiza, mupenge, imwi ngoro, uye budai, imwi vane simba; vaItiyopiya nevaRibhiya vakabata nhovo, nevaRudhi vanobata nekuwembura uta.
  20172. Jer 46:10 Nokuti iri zuva nderaIshe Jehovha wehondo, zuva retsivo, kuti azvitsividze pavadzivisi vake, zvino munondo uchadya uye uchaguta uye uchadhakwa neropa ravo; nokuti Ishe Jehovha wehondo ane chibairo kunyika yekumaodzanyemba parwizi Furati.
  20173. Jer 46:11 Kwira kuende Giriyadhi, unotora mubharisami, iwe mhandara, mukunda weEgipita; mishonga wakaiwanzira pasina, hakuna kurapiwa kwauri.
  20174. Jer 46:12 Marudzi akanzwa zvekunyadziswa kwako, nekuchema kwako kwakazadza nyika; nokuti vakagumburwa, ane simba kurwisana neane simba, vakawa vose pamwe chete.
  20175. Jer 46:13 Shoko Jehovha raakataura kuna Jeremiya muporofita nezvekuuya kwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi kuzorova nyika yeEgipita.
  20176. Jer 46:14 Paridzirai paEgipita, uye zivisai paMigidhori, uye nzwisai paNofi nepaTapanesi, itii: Zvimise, zvigadzirire, nokuti munondo uchadya zvakakupoteredza.
  20177. Jer 46:15 Sei varume vako vane simba vakukurwa? Havana kumira, nokuti Jehovha wakavadzinga.
  20178. Jer 46:16 Wakawedzera vanogumburwa, hongu, umwe anowira pamusoro peumwe, uye vanoti: Simukai, tidzokere kuvanhu vedu, nekunyika yechiberekerwa chedu, kubva pamunondo unomanikidza.
  20179. Jer 46:17 Vakadanidzirako vachiti: Farao mambo weEgipita ruzha chete, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.
  20180. Jer 46:18 Neupenyu hwangu, anoreva mambo, zita rake rinova Jehovha wehondo: Zvirokwazvo achauya seTabhori pakati pemakomo, uye seKarimeri pagungwa.
  20181. Jer 46:19 Zviitire zvombo zvekutapwa, mukunda anogara muEgipita; nokuti Nofi richava dongo riparadzwe risina mugari.
  20182. Jer 46:20 Egipita itsiru rakaisvonaka kwazvo; vuvu rinobva kumaodzanyemba rasvika, rasvika.
  20183. Jer 46:21 Uye vakahaiwa varo vari pakati pake semhuru dzemudanga; nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwe chete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, nguva yekushanyirwa kwavo.
  20184. Jer 46:22 Inzwi raro richafamba senyoka, nokuti vachafamba nehondo, ndokusvika pakatarisana naro nematemo sevatemi vemiti.
  20185. Jer 46:23 Vachatemera pasi sango raro, anoreva Jehovha; kunyange risinganzverwi, nokuti vakawanda kupfuura mhashu, uye havaverengeki.
  20186. Jer 46:24 Mukunda weEgipita achanyadziswa; achapiwa muruoko rwevanhu vekumaodzanyemba.
  20187. Jer 46:25 Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, anoti: Tarirai, ndicharanga Amoni weNo, naFarao, neEgipita, navamwari varo, nemadzimambo aro, hongu Farao, nevanovimba naye.
  20188. Jer 46:26 Zvino ndichavapa muruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo, nemuruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nemuruoko rwevaranda vake; zvino pashure richagarwa, sepamazuva ekare, anoreva Jehovha.
  20189. Jer 46:27 Asi usatya iwe Jakove muranda wangu, usavhunduswa iwe Israeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, nechizvarwa chako chiri munyika yeutapwa hwavo; uye Jakove achadzoka uye achazorora nekugadzikana, uye hapana achamutyisa.
  20190. Jer 46:28 Usatya iwe Jakove muranda wangu, anoreva Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichaita mugumo wemarudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakuiti mugumo, uye ndichakutsiura zvakafanira, asi handingakuregi zvekukurega usina kurangwa.
  20191. Jer 47:1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya muporofita pamusoro pevaFirisitia, Farao asati arova Gaza.
  20192. Jer 47:2 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, mvura dzinokwira kubva kumaodzanyemba, dzichava rwizi runopopoma, uye dzichafukidza nyika nekuzara kwayo, guta nevagere mariri; uye vanhu vachachema, nevagari vose vepanyika vachaungudza.
  20193. Jer 47:3 Nekuda kweruzha rwekutinhira kwemahwanda eane simba ake, nekuda kwemutinhiro wengoro dzake, nekuvirima kwemavhiri adzo; madzibaba haangacheukiri kuvana nemhaka yekushaya simba kwemaoko;
  20194. Jer 47:4 nekuda kwezuva rinouya kuparadza vaFirisitia vose, kugura paTire nepaSidhoni mubatsiri umwe neumwe wakasara; nokuti Jehovha achaparadza vaFirisitia, vakasara vechiwi cheKafitori.
  20195. Jer 47:5 Kuva nemhanza kwasvika muGaza; Ashikeroni ragurwa, vakasara vemupata wavo; uchazvitema kusvika rinhi?
  20196. Jer 47:6 Haiwa, munondo waJehovha, kusvika rinhi usinganyarari? Zviunganidze mumuhara mako, zorora, unyarare.
  20197. Jer 47:7 Unganyarara sei, Jehovha zvaakauraira pamusoro peAshikeroni nepamusoro pemahombekombe egungwa? Ndipo paakaugadza.
  20198. Jer 48:1 Pamusoro paMoabhu; anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Nhamo kuNebho, nokuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa uye ratapwa; Mishigabhi ranyadziswa uye rakoromoka.
  20199. Jer 48:2 Hakuchavizve nembiri yaMoabhu; muHeshibhoni vakarirangana zvakaipa vachiti: Uyai, ngatirigure kubva pakuva rudzi. Newe Madhimeni, uchanyarara; munondo uchakutevera.
  20200. Jer 48:3 Inzwi rekuchema kubva Horonaimi; kuparadzwa nekukoromoka kukuru!
  20201. Jer 48:4 Moabhu raparadzwa; vanana vavo vakanzwisa kuchema.
  20202. Jer 48:5 Nokuti pamukwidza weRuhiti kuchema kuchakwira nekuchema; nokuti pamuteru weHoronaimi vavengi vakanzwa kuchema kwekuparara.
  20203. Jer 48:6 Tizai, ponesai mweya wenyu, muve segwenzi risina maturo murenje.
  20204. Jer 48:7 Nokuti nekuda kwekuvimba kwenyu nemabasa enyu uye nezvinokosha zvenyu, newe uchatapwa; naKemoshi achabudira muutapwa, vapristi vake nemachinda ake pamwe chete.
  20205. Jer 48:8 Zvino muparadzi achasvikira paguta ripi neripi, uye hapana guta richapukunyuka, nemupata uchaparara, nebani richaparadzwa, Jehovha sezvaakataura.
  20206. Jer 48:9 Ipai mapapiro kuna Moabhu, nokuti achabhururuka abude, uye maguta ake achava dongo, pasina anogaramo.
  20207. Jer 48:10 Wakatukwa anoita basa raJehovha asina hanya, uye wakatukwa anodzora munondo wake paropa.
  20208. Jer 48:11 Moabhu wakatambarara kubva paudiki hwake, uye wakazorora pamasese ake, uye haana kudururwa kubva mumudziyo kuenda mumudziyo, uye muutapwa haana kuenda; naizvozvo kuravirwa kwake kunogara maari, uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka.
  20209. Jer 48:12 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichatumira kwaari varereki vemidziyo, vachamureresa, uye vachadurura midziyo yake nekuputsa zvirongo zvavo.
  20210. Jer 48:13 Zvino Moabhu achanyara pamusoro peKemoshi, imba yaIsraeri sezvayakanyara pamusoro peBheteri, chivimbo chavo.
  20211. Jer 48:14 Munoreva sei muchiti: Tiri vane simba nevarume vehondo vakagwinya?
  20212. Jer 48:15 Moabhu waparadzwa, uye wakwira kubva mumaguta ake, nemajaya avo akasarudzwa akaburukira kunourawa, anoreva mambo, ane zita rinonzi Jehovha wehondo.
  20213. Jer 48:16 Njodzi yaMoabhu yava pedo kusvika, uye dambudziko rake rinokurumidza kwazvo.
  20214. Jer 48:17 Muchemei, imwi mose makamukomba, nemwi mose munoziva zita rake, muti: Tsvimbo yakasimba yavhunika sei, mudonzvo wakanaka!
  20215. Jer 48:18 Iwe mugarikadzi mukunda weDhibhoni, buruka kubva paukuru, zvino ugare panyota, nokuti mutapi waMoabhu wakwira kukurwisa, achaparadza nhare dzako.
  20216. Jer 48:19 Iwe mugarikadzi weAroeri, mira panzira, zvino utarire; ubvunze anotiza neanopukunyuka, uti: Chii chaitika?
  20217. Jer 48:20 Moabhu wakanyadziswa, nokuti wakakoromorwa. Ungudzai uye chemai, zivisai paArinoni kuti Moabhu waparadzwa.
  20218. Jer 48:21 Zvino mutongo wauya pamusoro penyika yebani, pamusoro peHoroni, nepamusoro peJaza, nepamusoro peMefaati,
  20219. Jer 48:22 nepamusoro peDhibhoni, nepamusoro peNebho, nepamusoro peBheti-Dhibhirataimu,
  20220. Jer 48:23 nepamusoro peKiriataimu, nepamusoro peBheti-Gamuri, nepamusoro peBheti-Meoni,
  20221. Jer 48:24 nepamusoro peKerioti, nepamusoro peBhozira, nepamusoro pemaguta ose enyika yaMoabhu, ari kure neari pedo.
  20222. Jer 48:25 Runyanga rwaMoabhu rwagurwa, uye ruoko rwake rwavhunwa, anoreva Jehovha.
  20223. Jer 48:26 Mudhakisei, nokuti anozvikudza pamberi paJehovha; Moabhuwo achaumburuka mumarutsi ake, hongu iyewo achava chiseko.
  20224. Jer 48:27 Nokuti Israeri haana kuva chiseko kwauri here? Wakawanikwa pakati pembavha here? Nokuti unodzungudza kubva panguva yemashoko ako pamusoro pake.
  20225. Jer 48:28 Siyai maguta, mugare mubwe, imwi vagari veMoabhu, uye ivai senjiva inoita dendere rayo pamativi emuromo weruwere.
  20226. Jer 48:29 Takanzwa kuzvikudza kwaMoabhu, anozvikudza kwazvo, kuzvikukumadza kwake, nekuzvikudza kwake, nekuzvida kwake, nemanyawi emoyo wake.
  20227. Jer 48:30 Ini ndinoziva hasha dzake, anoreva Jehovha, asi hazvingadaro, kuropota kwake hakuna kuita zvakarurama.
  20228. Jer 48:31 Naizvozvo ndichaungudza pamusoro paMoabhu, hongu ndichachema pamusoro paMoabhu wose; vachachema pamusoro pevanhu veKiri-Heresi.
  20229. Jer 48:32 Nekuungudza kweJazeri ndinokuungudzira iwe, muzambiringa weSibhima; matavi ako akadarika gungwa, akanosvika pagungwa reJazeri; muparadzi wawa pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha nepamusoro pemazambiringa ako akakohwewa.
  20230. Jer 48:33 Zvino mufaro nekufara zvabviswa pamunda unobereka, nepanyika yaMoabhu; uye ndakagumisa waini pazvisviniro, havangatsiki neruzha rwemufaro; ruzha rwemufaro harwungavi ruzha rwemufaro.
  20231. Jer 48:34 Kubva pakuchema kweHeshibhoni kusvika Ereare, kusvika Jahazi, vakabudisa inzwi ravo, kubva Zoari kusvika Horonaimi tsiru remakore matatu; nokutiwo mvura dzeNimirimi dzichava matongo.
  20232. Jer 48:35 Zvino ndichagumisa paMoabhu, anoreva Jehovha, iye anobaira panzvimbo yakakwirira, neanopisira vamwari vake zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  20233. Jer 48:36 Naizvozvo moyo wangu ucharira senyere pamusoro paMoabhu, uye moyo wangu uchachema senyere pamusoro pevanhu veKiri-Heresi; nokuti fuma yavaiva vawana yaparara.
  20234. Jer 48:37 Nokuti musoro umwe neumwe imhanza, uye ndebvu imwe neimwe yakaveurwa, maoko ose akagurwa, uye saga riri pachiuno.
  20235. Jer 48:38 Pamusoro pematenga edzimba ose aMoabhu, nepanzira dzemumisha dzake, panzvimbo dzose pane kuungudza, nokuti ndaputsa Moabhu semudziyo usingafarirwi, anoreva Jehovha.
  20236. Jer 48:39 Vachaungudza vachiti: Wakoromoka sei! Moabhu washandura mutsipa achinyara sei! Naizvozvo Moabhu achava chiseko nechityiso kune vose vakamupoteredza.
  20237. Jer 48:40 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarira, achabhururuka nekuhwembuka segondo, uye achatambanudzira mapapiro ake pamusoro paMoabhu.
  20238. Jer 48:41 Maguta atapwa, nenhare dzabatwa; nemoyo weane simba waMoabhu wakava pazuva iroro semoyo wemukadzi anorwadziwa nemimba.
  20239. Jer 48:42 Zvino Moabhu achaparadzwa kubva pakuva rudzi, nokuti wakazvikudza pamberi paJehovha.
  20240. Jer 48:43 Kutya negomba nemusungo zviri pamusoro pako, iwe mugari weMoabhu, anoreva Jehovha.
  20241. Jer 48:44 Anotiza chityiso achawira mugomba, neanomuka kubuda mugomba achabatwa nemusungo, nokuti ndichauyisa kwaari, pamusoro paMoabhu gore rekurohwa kwavo, anoreva Jehovha.
  20242. Jer 48:45 Vakatiza vanomira pamumvuri weHeshibhoni vasina simba; nokuti moto uchabuda kubva muHeshibhoni, nemurazvo kubva mukati meSihoni, uye uchadya kona yaMoabhu nenhongonya yevana vemheremhere.
  20243. Jer 48:46 Nhamo kwauri, iwe Moabhu! Vanhu veKemoshi vapera; nokuti vanakomana vako vatapwa, nevakunda venyu muutapwa.
  20244. Jer 48:47 Asi ndichadzosa vakatapwa vaMoabhu pamazuva ekupedzisira, anoreva Jehovha. Kusvika apa mutongo waMoabhu.
  20245. Jer 49:1 Pamusoro pevana vaAmoni. Anoreva seizvi Jehovha: Israeri haana vanakomana here? Haana mugari wenhaka here? Sei Marikami agara nhaka yaGadhi, nevanhu vake vachigara mumaguta ake?
  20246. Jer 49:2 Naizvozvo tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichanzwisa mhere yehondo muRabha revana vaAmoni; uye richava murwi wedongo; uye vakunda varo vachapiswa nemoto; zvino Israeri achava mugari wenhaka kune vaiva vagari vedzinhaka vake, anoreva Jehovha.
  20247. Jer 49:3 Ungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa; chemai imwi vakunda vaRabha, zvisungei zviuno nemasaga, ungudzai, muende uko neuko pavuzhowa; nokuti Marikami achaenda muutapwa, vapristi vake nemachinda ake pamwe chete.
  20248. Jer 49:4 Unozvikudzirei mumipata? Mupata wako unoyerera, iwe mukunda wekudzokera shure, anovimba nefuma yake achiti: Ndiani achauya kwandiri?
  20249. Jer 49:5 Tarira, ndichauisa chityiso pamusoro pako, anoreva Ishe Jehovha wehondo, kubva kune vose vakakukomberedza; uye muchadzingwa, umwe neumwe pamberi pake; uye hakuna achaunganidza anodzungaira.
  20250. Jer 49:6 Zvino pashure ndichadzosa utapwa hwevana vaAmoni, anoreva Jehovha.
  20251. Jer 49:7 Pamusoro paEdhomu. Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Hakuchina uchenjeri muTemani here? Zano rapera here kune vanonzwisisa? Uchenjeri hwavo hwanyangarika here?
  20252. Jer 49:8 Tizai, tsaukai, garai makadzika, vagari vepaDhedhani; nokuti ndichauisa dambudziko raEsau pamusoro pake, nguva yekumushanyira kwangu.
  20253. Jer 49:9 Kana vakohwi vemazambiringa vakasvika kwauri, havangasii zvekufuhurudza here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangaparadzi kusvika vakwana here?
  20254. Jer 49:10 Asi ini ndafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzechivande, kuti asagona kuzvivanza; chizvarwa chake chaparadzwa, nehama dzake nevavakidzani vake, hongu, haachipo.
  20255. Jer 49:11 Siya nherera dzako, ini ndichadzichengeta dzichirarama, nechirikadzi dzako ngadzivimbe neni.
  20256. Jer 49:12 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, avo vemutongo wavo waiva wekusanwa mukombe vakanwa zvekunwa; zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarangwi here? Haungaregwi usina mhosva, asi uchanwa zvirokwazvo.
  20257. Jer 49:13 Nokuti ndakapika neni ndomene, anoreva Jehovha, kuti Bhozira richava chityiso, chishoorwa, dongo, uye chakatukwa; nemaguta aro ose achava matongo nekusingaperi.
  20258. Jer 49:14 Ndakanzwa shoko kubva kuna Jehovha, uye nhume yakatumwa pakati pemarudzi, ichiti: Unganai, muuye kuzorirwisa, uye simukirai hondo.
  20259. Jer 49:15 Nokuti tarira, ndakakuita mudiki pakati pemarudzi, anozvidzwa pakati pevanhu.
  20260. Jer 49:16 Kutyisa kwako kwakunyengera, kuzvikudza kwemoyo wako, iwe ugere mumikaha yedombo, wakabata nhongonya yechikomo; kunyange ukaita dendere rako rakakwirira segondo, ndichakuburusa kubvapo, anoreva Jehovha.
  20261. Jer 49:17 NeEdhomu richaitwa chityiso; ani nani anopfuura pariri achashamiswa kwazvo, uye achiridzira muridzo matambudziko aro ose.
  20262. Jer 49:18 Sekuparadzwa kweSodhoma neGomora nevavakidzani vawo, anoreva Jehovha, hakuna munhu achagaramo, uye hakuna mwanakomana wemunhu achagara mariri semutorwa.
  20263. Jer 49:19 Tarira, achakwira seshumba achibva pakukukumuka kwaJoridhani kurwisa ugaro hweakasimba; asi ndichamumhanyisa pakarepo kubva kwaari; zvino ndiani wakasarudzwa wandichagadza pamusoro pake? Nokuti ndiani wakaita seni? Uye ndiani achandigadzira nguva? Uye ndiani mufudzi achamira pamberi pangu?
  20264. Jer 49:20 Naizvozvo inzwai zano raJehovha raakapanga kurwisa Edhomu, nezvinangwa zvake zvaakananga kurwisa vagari veTemani: Zvirokwazvo vadikisa veboka vachavakweva, zvirokwazvo achaparadza ugaro hwavo pamusoro pavo.
  20265. Jer 49:21 Nyika yakadedera paruzha rwekuwa kwavo, rwekuchema, ruzha rwayo rwakanzwika paGungwa Dzvuku.
  20266. Jer 49:22 Tarira, achakwira ndokubhururuka-bhururuka segondo, ndokutandavadza mapapiro ake pamusoro peBhozira; zvino pazuva iro moyo wevane simba veEdhomu uchava semoyo wemukadzi pakurwadziwa kwake nemimba.
  20267. Jer 49:23 Pamusoro peDhamasiko. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti vakanzwa shoko rakaipa, vakanyauka; kusuruvara kuri pagungwa, harigoni kunyarara.
  20268. Jer 49:24 Dhamasiko rapera simba, rakatendeukira kutiza, uye kutya kwaribata, kumanikidzwa, nekushungurudzika kukuru kwaribata seanorwadziwa nemimba.
  20269. Jer 49:25 Harina kusiiwa sei guta rekurumbidzwa, guta remufaro wangu?
  20270. Jer 49:26 Naizvozvo majaya aro achawira munzira dzaro dzemumisha, nevarume vose vehondo vachagurwa pazuva iro, anoreva Jehovha wehondo.
  20271. Jer 49:27 Zvino ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasiko, uye uchaparadza mizinda yaBheni-Hadhadhi.
  20272. Jer 49:28 Pamusoro peKedhari nepamusoro peushe uzhinji hweHazori Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi hwaakarova. Anoreva seizvi Jehovha: Simukai, kwirai kuKedhari, munoparadza vana vekumabvazuva.
  20273. Jer 49:29 Vachatora matende avo nemapoka avo emakwai, maketeni avo nemidziyo yavo yose, nemakamera avo vachazvitakurira, vachadanidzira kwavari vachiti: Kutya pamativi ose!
  20274. Jer 49:30 Tizai, mudzungaire kwazvo, garai makadzika, imwi vagari veHazori, anoreva Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakaronga zano kukurwisai, uye wakafunga mufungo kukurwisai.
  20275. Jer 49:31 Simukai, mukwire kurwisana nerudzi rwakatambarara, rwunogara rwakatambarara, anoreva Jehovha; rwusina masuwo, rwusina zvipfigiso, rwunogara rwega.
  20276. Jer 49:32 Zvino makamera arwo achava chakapambwa, nemapoka ezvipfuwo zvavo achava chakapambwa; uye ndichavaparadzira kumhepo dzose, vakakandwa kumakona, uye ndichauisa dambudziko ravo kubva kumativi arwo ose, anoreva Jehovha.
  20277. Jer 49:33 Zvino Hazori richava ugaro hwemakava, dongo kusvika rinhi narinhi; hakungagarimo munhu, uye hakuna mwanakomana wemunhu achagara mariri semutorwa.
  20278. Jer 49:34 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya muporofita pamusoro paEramu pakutanga kwekutonga kwaZedhekia mambo waJudha richiti:
  20279. Jer 49:35 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichavhuna uta hwaEramu, chikurusa chesimba ravo.
  20280. Jer 49:36 Zvino ndichauyisa mhepo ina pamusoro paEramu kubva kumigumo mina yematenga, uye ndichavaparadzira kumhepo dzose idzi, uye hakuna rudzi vakadzingwa vaEramu kwavasingasviki.
  20281. Jer 49:37 Nokuti ndichatyisa Eramu pamberi pevavengi vavo nepamberi pevanotsvaka upenyu hwavo, uye ndichauisa chakaipa pamusoro pavo, kupfuta kwekutsamwa kwangu, anoreva Jehovha; zvino ndichatuma shure kwavo munondo kusvika ndavapedza.
  20282. Jer 49:38 Zvino ndichamisa chigaro changu cheushe muEramu, uye ndichaparadza kubvapo mambo nemachinda, anoreva Jehovha.
  20283. Jer 49:39 Asi zvichaitika pakupera kwemazuva, ndichadzosa utapwa hwaEramu, anoreva Jehovha.
  20284. Jer 50:1 Shoko Jehovha raakataura pamusoro peBhabhironi, pamusoro penyika yevaKaradhiya neruoko rwaJeremiya muporofita.
  20285. Jer 50:2 Danidzirai pakati pemarudzi, uye zivisai, zvino muise mureza, zivisai, musavanza, muti: Bhabhironi ratapwa, Bheri wanyadziswa, Merodhaki waputsanywa, zvifananidzo zvake zvanyadziswa, mifananidzo yake yaputsanywa.
  20286. Jer 50:3 Nokuti rudzi rwunokwira kumurwisa kubva kumaodzanyemba; irwo rwuchaita nyika yake dongo, uye hakuna achagaramo; kubva kumunhu kusvika kumhuka zvichatiza zviende.
  20287. Jer 50:4 Mumazuva iwayo, uye panguva iyoyo, anoreva Jehovha, vana vaIsraeri vachauya, ivo nevana vaJudha pamwe chete; vachafamba vachichema; vachafamba uye vachatsvaka Jehovha Mwari wavo.
  20288. Jer 50:5 Vachabvunza nzira yeZiyoni; zviso zvavo zvakaringako vachiti: Uyai ngatizvibatanidze kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.
  20289. Jer 50:6 Vanhu vangu vaiva makwai akarasika; vafudzi vavo vakavarasisa, vakavatsausira kumakomo; vakafamba kubva kugomo kuenda kuchikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yekuzorora.
  20290. Jer 50:7 Vose vaivawana vaivadya, nevadzivisi vavo vaiti: Hatingavi nemhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo ugaro hwekururama, iye Jehovha, tariro yemadzibaba avo.
  20291. Jer 50:8 Tizai mubve pakati peBhabhironi, uye budai panyika yevaKaradhiya; uye muve sedzinhongo pamberi peboka remakwai.
  20292. Jer 50:9 Nokuti tarira, ndichamutsa ndikwidze chaunga chemarudzi makuru kuBhabhironi kubva kunyika yekumaodzanyemba; uye vachazvigadzirira kurirwisa; kubva ipapo richatapwa; miseve yavo yakaita seyemhare ine simba, haingadzokeri pasina.
  20293. Jer 50:10 Zvino Karadhiya ichava chakapambwa; vose vanoitapa vachaguta, anoreva Jehovha.
  20294. Jer 50:11 Nokuti maifara, nokuti maipembera, imwi vapambi venhaka yangu, nokuti maiuruka setsiru pauswa unyoro, muchipfeza semabhiza makono,
  20295. Jer 50:12 mai venyu vachanyara kwazvo, ivo vakakuberekai, vachasvoda. Tarira, veshure vemarudzi vachava renje, nyika yakaoma, uye gwenga.
  20296. Jer 50:13 Nekuda kwekutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; ani nani anopfuura nepaBhabhironi achashamiswa uye acharidzira matambudziko aro ose muridzo.
  20297. Jer 50:14 Zvigadzirirei kurwisa Bhabhironi kumativi ose, nemwi mose munohwembura uta, rifurei, musarega miseve, nokuti rakatadzira Jehovha.
  20298. Jer 50:15 Danidzirai kuripikisa mativi ose; rakapa ruoko rwaro; nheyo dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; tsivai kwariri sezvarakaita muriitirewo.
  20299. Jer 50:16 Gurai mudzvari kubva muBhabhironi, newakabata jeko panguva yekukohwa; nekuda kwekutya munondo unomanikidza vachatendeuka, umwe neumwe kuvanhu vake, uye vachatiza, umwe neumwe kunyika yake.
  20300. Jer 50:17 Israeri igwai rakaparadzirwa, shumba dzakadzingira kure; pakutanga mambo weAsiriya wakamudya, uye pakupedzisira uyu Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake.
  20301. Jer 50:18 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarira, ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakaranga mambo weAsiriya.
  20302. Jer 50:19 Zvino ndichadzosera Israeri kuugaro hwake, uye achachedza paKarimeri neBhashani; uye mweya weupenyu wake uchaguta pagomo rekwaEfuremu naGireyadhi.
  20303. Jer 50:20 Mumazuva iwayo nepanguva iyo, anoreva Jehovha, zvakaipa zvaIsraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakaita vakasara.
  20304. Jer 50:21 Uchirwisa nyika yeMerataimu, kwira uirwise, nekuvagari vePekodhi; paradza unyangarise shure kwavo, anoreva Jehovha, uye uite zvichienderana nezvose zvandakakuraira.
  20305. Jer 50:22 Ruzha rwekurwa rwuri munyika, nekuparadza kukuru.
  20306. Jer 50:23 Nyundo yenyika yose yagurwa nekuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pemarudzi!
  20307. Jer 50:24 Ndakakuteyera musungo ndokupambwawo, iwe Bhabhironi, newe hauna kuziva; wakawanikwa ukabatwawo, nokuti wakapikisana naJehovha.
  20308. Jer 50:25 Jehovha wakazarura dura rake, ndokubudisa zvombo zvekutsamwa kwake, nokuti iri ibasa raIshe Jehovha wehondo panyika yevaKaradhiya.
  20309. Jer 50:26 Uyai murirwise kubva kumugumo; zarurai matura aro; riunganidzei semirwi; uye muriparadze chose; ngarirege kuva nevanosara.
  20310. Jer 50:27 Urayai nzombe diki dzaro dzose, ngadziburukire kunourawa. Nhamo kwavari! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yekurangwa kwavo.
  20311. Jer 50:28 Inzwi revanotiza nevanopukunyuka panyika yeBhabhironi, kuti vadanidzire paZiyoni tsivo yaJehovha Mwari wedu, tsivo yetembere yake.
  20312. Jer 50:29 Kokerai vafuri kurwisa Bhabhironi; imwi mose munohwembura uta, dzikai musasa makarikomba; ngakusava neumwe waro anopukunyuka; ritsivei zvinoenderana nebasa raro; zvinoenderana nezvose zvarakaita, itaiwo kwariri. Nokuti rakaita manyawi kurwisa Jehovha, kurwisa Mutsvene waIsraeri.
  20313. Jer 50:30 Naizvozvo majaya aro achawa munzira dzaro dzemumusha, uye varume varo vehondo vachaparadzwa pazuva iro, anoreva Jehovha.
  20314. Jer 50:31 Tarira, ndinopokona newe, iwe wekuzvikudza, anoreva Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakushanyira.
  20315. Jer 50:32 Zvino anozvikudza achagumburwa agowa, uye hakuna angamumutsa; zvino ndichabatidza moto mumaguta ake ugodya zvose zvakamupoteredza.
  20316. Jer 50:33 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Vana vaIsraeri nevana vaJudha vakamanikidzwa pamwe chete; uye vose vakavatapa vakavabata, vanoramba kuvarega vaende.
  20317. Jer 50:34 Mudzikunuri wavo ane simba; Jehovha wehondo izita rake; achamiririra kwazvo mhosva yavo, kuti ape nyika zororo, nekushaisa runyararo vagari veBhabhironi.
  20318. Jer 50:35 Munondo uri pamusoro pevaKaradhiya, anoreva Jehovha, nepamusoro pevagari veBhabhironi, nepamusoro pemachinda aro, nepamusoro pevachenjeri varo.
  20319. Jer 50:36 Munondo uri pamusoro pevane manyawi, kuti vaite neupenzi; munondo uri pamusoro pevane simba varo, kuti vavhunduke.
  20320. Jer 50:37 Munondo uri pamusoro pemabhiza aro, nepamusoro pengoro dzaro, nepamusoro pevanhu vose vakasangana mukati maro, kuti vave vakadzi; munondo pamusoro pefuma yaro, kuti ipambwe.
  20321. Jer 50:38 Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, uye ichapwa; nokuti inyika yezvifananidzo zvakavezwa, uye vanopengera zvifananidzo zvinotyisa.
  20322. Jer 50:39 Naizvozvo zvikara zvemarenje pamwe nemakava ezviwi zvichagaramo, nemhou diki dzichavamo; uye harichagarwizve kusvika rinhi narinhi, uye haringagarwi kubva kuzera kusvika kuzera.
  20323. Jer 50:40 Mwari sezvaakapidigura Sodhoma neGomora nevavakidzani vawo, anoreva Jehovha, hakuna munhu achagaramo, uye hakuna mwanakomana wemunhu achagara mariri semutorwa.
  20324. Jer 50:41 Tarirai, vanhu vanobva kumaodzanyemba, uye rudzi rukuru nemadzimambo mazhinji achamutswa kubva kumicheto yenyika.
  20325. Jer 50:42 Vachabata uta nepfumo, vane hasha, uye havangavi nenyasha; inzwi ravo richatinhira segungwa, uye vachatasva mabhiza, vakashongedzwa zvombo semurume anoenda kuhondo, kukurwisa, iwe mukunda weBhabhironi.
  20326. Jer 50:43 Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake ndokushaiwa simba; kumanikidzika kwakamubata, kurwadziwa semukadzi anorwadziwa nemimba.
  20327. Jer 50:44 Tarirai, achakwira seshumba kubva pakukukumuka kwaJoridhani kuenda kuugaro hweane simba; asi ndichavamhanyisa pakarepo kubva paari; uye ani nani wakasarudzwa wandingagadza pamusoro pake; nokuti ndiani wakafanana neni? Uye ndiani achandigadzira nguva? Zvino ndiani mufudzi uyo achamira pamberi pangu?
  20328. Jer 50:45 Naizvozvo inzwai zano raJehovha raakaraira kurwisa Bhabhironi, nezvinangwa zvake zvaakananga kurwisa nyika yevaKaradhiya: Zvirokwazvo vadiki veboka vachavakweva; zvirokwazvo achaita ugaro dongo pamusoro pavo.
  20329. Jer 50:46 Neruzha rwekutapwa kweBhabhironi nyika ichadengenyeka, uye kuchema kuchanzwikwa pakati pemarudzi.
  20330. Jer 51:1 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nevagere mumoyo yevanondimukira mhepo inoparadza.
  20331. Jer 51:2 Zvino ndichatumira kuBhabhironi varudzi vacharirudza, uye vachadurura nyika yaro, nokuti nezuva redambudziko vacharirwisa kukomberedza.
  20332. Jer 51:3 Zvakadaro mufuri ngaahwembure uta hwake kurwisa anohwembura, uye kurwisa anozvikudza panguvo yake yeutare; uye musarega majaya aro, paradzai chose hondo yaro yose.
  20333. Jer 51:4 Saizvozvo vakaurawa vachawa munyika yevaKaradhiya, nevabayiwa munzira dzaro dzemumusha.
  20334. Jer 51:5 Nokuti Israeri naJudha haangasiiwi naMwari wavo, naJehovha wehondo, kunyange nyika yavo izere nemhosva kuMutsvene waIsraeri.
  20335. Jer 51:6 Tizai mubve mukati meBhabhironi, uye mununure umwe neumwe mweya weupenyu wake; regai kugurwa mukati mezvakaipa zvaro, nokuti iyi inguva yetsivo yaJehovha, anotsiva tsivo kwariri.
  20336. Jer 51:7 Bhabhironi raiva mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha, wakadhakisa nyika yose; marudzi akanwa zvewaini yaro, naizvozvo marudzi akapenga.
  20337. Jer 51:8 Bhabhironi rakawa pakarepo ndokuputsika; ungudzai pamusoro paro, torerai kurwadziwa kwaro mubharisami, zvimwe ringarapiwa.
  20338. Jer 51:9 Takaporesa Bhabhironi asi harina kurapika; risiyei, tiende, umwe neumwe kunyika yake; nokuti mutongo waro wananavira kumatenga, uye rakasimudzirwa rasvika kumakore.
  20339. Jer 51:10 Jehovha wakabudisa kururama kukuru kwedu; uyai, tirondedzere paZiyoni basa raJehovha Mwari wedu.
  20340. Jer 51:11 Rodzai miseve, shongai dzinhovo! Jehovha wakamutsa mweya wemadzimambo evaMedhi; nokuti zano rawo rinorwisa Bhabhironi kuriparadza, nokuti iko kutsiva kwaJehovha, kutsiva kwetembere yake.
  20341. Jer 51:12 Simudzai mureza pamusoro pemasvingo eBhabhironi, musimbise chirindo, isai nharirire, gadzirai vanovandira; nokuti Jehovha wakazvirongawo uye achazviita zvaakataura pamusoro pevagari veBhabhironi.
  20342. Jer 51:13 Iwe ugere pamvura zhinji, wakawanza zvinokosha, kuguma kwako kwasvika, chiyero chezvawakawana mukuipa.
  20343. Jer 51:14 Jehovha wehondo wakapika nemweya weupenyu wake: Zvirokwazvo ndichakuzadza nevanhu semagwatakwata, zvino vachakupururudzira.
  20344. Jer 51:15 Iye wakaita nyika nesimba rake, wakasimbisa nyika neuchenjeri hwake, uye wakatatamura matenga nekunzwisisa kwake.
  20345. Jer 51:16 Paanobudisa inzwi rake, pane mutinhiro wemvura zhinji mumatenga; uye anosimudza mhute zhinji kubva kumugumo wenyika; anoita dzimheni pamwe nemvura, uye anobudisa mhepo kubva pachivigiro chefuma yake.
  20346. Jer 51:17 Munhu umwe neumwe chituta, haana ruzivo; mupfuri umwe neumwe wegoridhe anonyadziswa nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa; nokuti chifananidzo chake chakaumbwa nekunyungudusa ndechekunyengera; uye hakuna mweya mazviri.
  20347. Jer 51:18 Hazvina maturo, ibasa reunyengeri ukuru; panguva yekushanyirwa kwavo vachaparara.
  20348. Jer 51:19 Mugove waJakove haufanani nazvo, nokuti ndiye muumbi wezvinhu zvose; uye Israeri rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo izita rake.
  20349. Jer 51:20 Uri tsvimbo yangu nezvombo zvehondo, nokuti newe ndichaguranya marudzi, uye newe ndichaparadza umambo uzhinji;
  20350. Jer 51:21 uye newe ndichaputsanya bhiza nemutasvi waro, uye newe ndichaputsanya ngoro nemuchairi wayo;
  20351. Jer 51:22 uye newe ndichaputsanya murume nemukadzi; uye newe ndichaputsanya mutana nemudiki; uye newe ndichaputsanya jaya nemhandara;
  20352. Jer 51:23 uye newe ndichaputsanya mufudzi neboka rake; uye newe ndichaputsanya murimi nechipani chake; uye newe ndichaputsanya vatongi nemachinda.
  20353. Jer 51:24 Zvino ndichatsiva Bhabhironi nevagari vose veKaradhiya zvakaipa zvavo zvose zvavakaita muZiyoni pameso penyu, anoreva Jehovha.
  20354. Jer 51:25 Tarira, ndinorwisana newe, iwe gomo rinoparadza, anoreva Jehovha, rinoparadza nyika yose; uye ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pako, nekukukungurusa uchibva pamabwe, uye ndichakuita gomo rekutsva.
  20355. Jer 51:26 Zvino havangatori kwauri ibwe rive rekona, neibwe rive renheyo; asi uchava matongo nekusingaperi, anoreva Jehovha.
  20356. Jer 51:27 Simudzai mureza panyika, ridzai hwamanda pakati pemarudzi, gadzirai marudzi kuzorwa naro, kokerai umambo hweArarati, hweMini, nehweAshikenazi kuzorwa naro, gadzai mukuru wehondo kuzorwa naro, kwidzai nebhiza segwatakwata rinoparadza.
  20357. Jer 51:28 Gadzirai marudzi kuzorwa naro, madzimambo evaMedhi, vabati vavo, nevatungamiriri vavo vose, nenyika yose yeutongi hwaro.
  20358. Jer 51:29 Nyika ichadedera nekusuruvara; nokuti chinangwa chose chaJehovha chichaitirwa Bhabhironi, kuita nyika yeBhabhironi dongo, isina mugari.
  20359. Jer 51:30 Vane simba veBhabhironi varega kurwa, varambira mudzinhare, simba ravo rapera, vava sevakadzi; vapisa nzvimbo dzaro dzekugara, zvipfigiso zvaro zvavhunika.
  20360. Jer 51:31 Mumhanyi achamhanya kusangana nemumhanyi, uye nhume kusangana nenhume, kuzivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake ratapwa kubva kumugumo.
  20361. Jer 51:32 Uye mazambuko abatwa, uye shanga dzapiswa nemoto, nevarume vehondo vavhunduka.
  20362. Jer 51:33 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro; inguva yekumupura kwake; pachine chinguvana, zvino nguva yekukohwa ichasvika kwaari.
  20363. Jer 51:34 Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu, wandimedza sebukanana, wazadza dumbu rake nezvinonaka zvangu, wandidzinga.
  20364. Jer 51:35 Zvechisimba zvangu nezvenyama yangu zvive pamusoro peBhabhironi, anoreva mugarikadzi weZiyoni; uye ropa rangu rive pamusoro pevagari veKaradhiya, anoreva Jerusarema.
  20365. Jer 51:36 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichamiririra nyaya yako, uye ndichatsiva tsivo yako; zvino ndichapwisa gungwa raro, nekuomesa chitubu charo.
  20366. Jer 51:37 Zvino Bhabhironi richava mirwi, nzvimbo yekugara yemabukanana, chishamiso, nechinoridzirwa muridzo, pasina mugari.
  20367. Jer 51:38 Vachaomba pamwe chete seshumba diki zhinji, vachaganya sembwanana dzeshumba.
  20368. Jer 51:39 Pakudziirwa kwavo ndichavaitira mabiko, uye ndichavadhakisa kuti vafare, nekurara muhope dzekusingaperi, uye vasamuka, anoreva Jehovha.
  20369. Jer 51:40 Ndichavaburusira kunobayiwa semakwayana, semakondohwe pamwe nenhongo.
  20370. Jer 51:41 Sheshaki ratapwa uye rumbidzo yenyika yose yabatwa sei! Bhabhironi rava chityiso sei pakati pemarudzi!
  20371. Jer 51:42 Gungwa rakwirira pamusoro peBhabhironi, rafukidzwa nemafungu aro mazhinji.
  20372. Jer 51:43 Maguta aro ava dongo, nyika yakaoma uye renje, nyika musina munhu anogaramo, uye hakuna mwanakomana wemunhu unopfuura namo.
  20373. Jer 51:44 Zvino ndicharanga Bheri muBhabhironi, uye ndichabudisa mumuromo make icho chaakamedza, uye marudzi haachazoyerereri kwariri; zvirokwazvo rusvingo rweBhabhironi rwuchawa.
  20374. Jer 51:45 Budai mukati maro, vanhu vangu, mugonunura umwe neumwe mweya weupenyu wake pakutsamwa kunopfuta kwaJehovha.
  20375. Jer 51:46 Zvino zvimwe moyo wenyu uore mugotya runyerekupe rwuchanzwikwa panyika, nokuti kuchasvika runyerekupe nerimwe gore, uye shure kweizvi runyerekupe negore rinotevera; nemhirizhonga panyika, uye mutongi achimukira mutongi.
  20376. Jer 51:47 Naizvozvo tarira, mazuva anouya andichaita mutongo pamusoro pezvifananidzo zveBhabhironi; zvino nyika yaro yose ichanyara; uye vakaurawa varo vose vachawa mukati maro.
  20377. Jer 51:48 Ipapo matenga nenyika nezvose zviri mazviri zvichaimbira Bhabhironi, nokuti vaparadzi vachavasvikira kubva kumaodzanyemba, anoreva Jehovha.
  20378. Jer 51:49 Bhabhironi sezvarakawisisa vakaurawa vaIsraeri, saizvozvo vakaurawa vose vepanyika vachawa paBhabhironi.
  20379. Jer 51:50 Imwi makapukunyuka munondo, endai, musamira; rangarirai Jehovha muri kure, uye Jerusarema ngariuye pamoyo wenyu.
  20380. Jer 51:51 Takanyara nokuti takanzwa kushoorwa, nyadzi dzakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.
  20381. Jer 51:52 Naizvozvo, tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichaita mutongo pamusoro pezvifananidzo zvaro zvakavezwa, uye nemunyika yaro yose wakakuvara achagomera.
  20382. Jer 51:53 Kunyange Bhabhironi rikakwira kumatenga, uye kunyange rikasimbisa kukwirira kwesimba raro, vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako, anoreva Jehovha.
  20383. Jer 51:54 Kune inzwi rekuchema kubva kuBhabhironi, nekuparadzwa kukuru kubva panyika yevaKaradhiya.
  20384. Jer 51:55 Nokuti Jehovha waparadza Bhabhironi, ndokunyaradza mariri inzwi guru, mafungu avo paanoomba semvura zhinji dzakakura, ruzha rweinzwi ravo rwunobuda.
  20385. Jer 51:56 Nokuti muparadzi wasvika pamusoro paro, pamusoro peBhabhironi; zvino vane simba varo vatapwa; uta hwavo hwavhunyaniwa; nokuti Jehovha Mwari wetsivo achariripira zvirokwazvo.
  20386. Jer 51:57 Zvino ndichadhakisa machinda aro, nevakachenjera varo, vatungamiriri varo, nevatongi varo, nevane simba varo; zvino vacharara hope dzekusingaperi ndokusamuka, anoreva Mambo, ane zita rinonzi Jehovha wehondo.
  20387. Jer 51:58 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Masvingo akafaranuka eBhabhironi achakoromorwa chose, nemasuwo aro akakwirira achapiswa nemoto; zvino vanhu vachashingairira pasina, nemarudzi achashingairira moto, kuti vanete.
  20388. Jer 51:59 Shoko Jeremiya muporofita raakaraira Seraya, mwanakomana waNeriya, mwanakomana waMaaseya, paakaenda naZedhekia mambo waJudha kuBhabhironi mugore rechina rekutonga kwake. Zvino Seraya waiva mambo werunyararo.
  20389. Jer 51:60 Jeremiya ndokunyora mubhuku chakaipa chose chaizouya paBhabhironi, mashoko awa ose akanyorwa kurwisana neBhabhironi.
  20390. Jer 51:61 Zvino Jeremiya wakati kuna Seraya: Kana wasvika kuBhabhironi uchaona ugoverenga mashoko awa ose.
  20391. Jer 51:62 Zvino uchati: Jehovha, imwi makataura pamusoro penzvimbo iyi kuti muchaigura, kuti kusava nemugari mairi kubva kumunhu kusvika kumhuka, asi ive matongo nekusingaperi.
  20392. Jer 51:63 Zvino zvichaitika kuti wapedza kuverenga bhuku iri, uchasungirira ibwe pariri ndokurikandira mukati maFurati;
  20393. Jer 51:64 ndokuti: Saizvozvo Bhabhironi richanyura, uye haringasimuki, nekuda kwechakaipa chandichauisa pamusoro paro, uye vachaneta. Anosvika pano mashoko aJeremiya.
  20394. Jer 52:1 Zedhekia waiva nemakore makumi maviri nerimwe paakava mambo, ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.
  20395. Jer 52:2 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha zvichienderana nezvose Jehoyakimu zvaakaita.
  20396. Jer 52:3 Nokuti nekuda kwekutsamwa kwaJehovha zvakaitika muJerusarema naJudha, kusvika avarasa kubva pachiso chake, kuti Zedhekia wakamukira mambo weBhabhironi.
  20397. Jer 52:4 Zvino zvakaitika mugore repfumbamwe rekutonga kwake, mumwedzi wegumi, neregumi remwedzi, kuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakasvika, iye nehondo yake yose, kurwisa Jerusarema, ndokudzika matende kurirwisa, ndokuvaka nhare kurirwisa vakarikomba.
  20398. Jer 52:5 Guta ndokupinda pakukombwa kusvika pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
  20399. Jer 52:6 Mumwedzi wechina, nerepfumbamwe remwedzi, nzara yakasimba mukati meguta, vanhu venyika ndokushaiwa zvekudya.
  20400. Jer 52:7 Zvino guta rakapazirwa, varume vose vehondo ndokutiza, ndokubuda muguta usiku nenzira yesuwo, pakati pemasvingo maviri aiva pabindu ramambo; (zvino vaKaradhiya vaiva vakakomba guta); vakaenda nenzira yebani.
  20401. Jer 52:8 Asi hondo yevaKaradhiya yakadzingirirana namambo, ndokubata Zedhekia pamapani eJeriko; hondo yake yose ndokupararira kubva kwaari.
  20402. Jer 52:9 Zvino vakabata mambo, ndokumukwidza kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, ndokutaura mitongo paari.
  20403. Jer 52:10 Zvino mambo weBhabhironi wakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pemeso ake, wakaurayawo machinda ose aJudha muRibhira.
  20404. Jer 52:11 Zvino wakapofumadza meso aZedhekia, uye wakamusunga neketani mbiri dzendarira, mambo weBhabhironi ndokumutakurira kuBhabhironi, ndokumuisa mutirongo kusvika pazuva rekufa kwake.
  20405. Jer 52:12 Zvino mumwedzi weshanu, neregumi remwedzi, raiva gore regumi nepfumbamwe ramambo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakapinda muJerusarema.
  20406. Jer 52:13 Zvino wakapisa imba yaJehovha, neimba yamambo, nedzimba dzose dzeJerusarema, neimba imwe neimwe yemukuru, wakapisa nemoto.
  20407. Jer 52:14 Zvino hondo yose yevaKaradhiya, yaiva nemukuru wevarindi, yakaputsa masvingo ose eJerusarema kupoteredza.
  20408. Jer 52:15 Zvino Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakatapa vamwe pavarombo vevanhu, nevakasara vevanhu vakasara muguta, nevaiva vapanduka vaiva vapandukira kuna mambo weBhabhironi, nevakasara vechaunga.
  20409. Jer 52:16 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakasiya vamwe pavarombo venyika kuti vave vabati veminda yemizambiringa nevarimi.
  20410. Jer 52:17 Nembiru dzematare dzaiva muimba yaJehovha, nezvigadziko, negungwa rendarira zvaiva muimba yaJehovha, vaKaradhiya vakaputsanya, ndokutakurira ndarira yose yazvo kuBhabhironi.
  20411. Jer 52:18 Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nembiya, nezvihwepura, nemidziyo yose yendarira yavaishumira nayo.
  20412. Jer 52:19 Nendiro, nezvaenga zvemoto, nembiya, nehari, nezvigadziko zvemwenje, nezvihwepura, nemikombe, nemidziyo yezvipo zvaiva goridhe goridhe uye zvaiva sirivha sirivha, mukuru wevarindi wakazvitora.
  20413. Jer 52:20 Mbiru mbiri, gungwa rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvigadziko, mambo Soromoni zvaakaitira imba yaJehovha, ndarira yemidziyo yose iyi yaiva isina uremu hwakayerwa.
  20414. Jer 52:21 Maererano nembiru, urefu hwembiru imwe hwaiva makubhiti gumi nemasere, uye rwodzi rwekuyera rwaiva makubhiti gumi nemaviri rwakaipoteredza, uye ukobvu hwayo hwaiva minwe mina; yaiva nemhango.
  20415. Jer 52:22 Uye musoro pamusoro payo waiva ndarira, uye kureba kwemusoro umwe kwaiva makubhiti mashanu, nezvakarukwa nemapomegiranati pamusoro pemusoro kupoteredza, zvose zviri ndarira; nembiru yechipiri yaiva yakafanana neiyi, nemapomegiranati.
  20416. Jer 52:23 Zvino kwaiva nemapomegiranati makumi mapfumbamwe nematanhatu parutivi; mapomegiranati ose aiva zana pane zvakarukwa pamativi ose.
  20417. Jer 52:24 Zvino mukuru wevarindi wakatora Seraya mupristi mukuru, naZefaniya mupristi wechipiri, nevarindi vemukova vatatu.
  20418. Jer 52:25 Uye kubva muguta wakatora mutenwa waiva akaiswa pamusoro pevarume vehondo, nevarume vanomwe pane vakaona chiso chamambo, vakawanikwa muguta, nemunyori mukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, nevarume makumi matanhatu vevanhu venyika, vaiva vawanikwa mukati meguta.
  20419. Jer 52:26 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi ndokuvatora, ndokuvaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
  20420. Jer 52:27 Mambo weBhabhironi ndokuvarova, ndokuvauraya paRibhira panyika yeHamati. Naizvozvi Judha wakatapwa kubva panyika yake.
  20421. Jer 52:28 Ava vanhu Nebhukadhirezari vaakatapa: Mugore rechinomwe vaJudha zvuru zvitatu nemakumi maviri nevatatu.
  20422. Jer 52:29 Mugore regumi nemasere raNebhukadhirezari wakatapa kubva paJerusarema mweya weupenyu mazana masere nemakumi matatu nevaviri.
  20423. Jer 52:30 Mugore remakumi maviri nematatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakatapa vaJudha, mweya yeupenyu mazana manomwe nemakumi mana nevashanu. Mweya yeupenyu yose yaiva zvuru zvina nemazana matanhatu.
  20424. Jer 52:31 Zvino zvakaitika mugore remakumi matatu nemanomwe reutapwa hwaJehoiakini mambo waJudha, mumwedzi wegumi nemiviri, neremakumi maviri nemashanu remwedzi, Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi mugore raakava mambo, wakasimudza musoro waJehoiakini mambo waJudha, ndokumubudisa kubva mutirongo.
  20425. Jer 52:32 Zvino wakataura zvakanaka naye, ndokuisa chigaro chake cheushe pamusoro pechigaro cheushe chemadzimambo waiva naye muBhabhironi.
  20426. Jer 52:33 Zvino wakashandura nguvo dzake dzeusungwa. Zvino wakadya chingwa pamberi pake rinhi narinhi mazuva ose eupenyu hwake.
  20427. Jer 52:34 Uye mugove wake wakatarwa, mugove wakatarwa unoenderera mberi wakapiwa kwaari namambo weBhabhironi, chinhu chezuva pazuva racho, kusvika pazuva rekufa kwake, mazuva ose eupenyu hwake
  20428. Lam 1:1 Haiwa, kugara roga kweguta raiva rakazara vanhu! Rava sechirikadzi; raiva guru pakati pemarudzi; muchindakadzi pakati pematunhu rava nhapwa.
  20429. Lam 1:2 Rinochema zvekuchema usiku, uye misodzi yaro iri pamatama aro; hapana anorinyaradza pakati pevadikanwi varo vose; shamwari dzaro dzose dzakaita nekunyengera kwariri, vava vavengi varo.
  20430. Lam 1:3 Judha waenda muutapwa nekuda kwekutambudzika uye nekuda kweukuru hweutapwa; iye agere pakati pevechirudzi, haawani zororo; vadzingiriri vake vose vakamubata pakati pepakamanikana.
  20431. Lam 1:4 Nzira dzeZiyoni dzinochema, nokuti hakuna vanouya kumutambo; masuwo aro ose matongo; vapristi varo vanogomera; mhandara dzaro dzinoshungurudzika; nairo riri mukuvaviwa.
  20432. Lam 1:5 Vadzivisi varo vava musoro, vavengi varo vatambarara; nokuti Jehovha wakarishungurudza nekuda kweuwandu hwezvitadzo zvaro; vanana varo vaenda kuutapwa pamberi pemudzivisi.
  20433. Lam 1:6 Zvino runako rwaro rwose rwakabva pamukunda weZiyoni; machinda aro aita senondo dzisingawani mafuro, uye dzinofamba dzisina simba pamberi pemudzingiriri.
  20434. Lam 1:7 Pamazuva edambudziko raro nekudzungaira kukuru kwaro, Jerusarema rinorangarira zvinhu zvaro zvose zvinofadza zvaivapo kubva pamazuva ekare, vanhu varo pavakawira pamaoko emudzivisi, uye rusina mubatsiri; vadzivisi vakariona, vakasveveredza masabata aro.
  20435. Lam 1:8 Jerusarema rakatadza zvikuru; naizvozvo rakava chinhu chisina kuchena; vose vairiremekedza vanorishoora, nokuti vakaona kushama kwaro; zvirokwazvo iro rakagomera ndokudzokera shure.
  20436. Lam 1:9 Tsvina yaro yaiva pamipendero yenguvo yaro; harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakaburuka zvinoshamisa, raiva risina munyaradzi. Jehovha, onai dambudziko rangu, nokuti muvengi wazvikudza.
  20437. Lam 1:10 Mudzivisi watambanudzira ruoko rwake pamusoro pezvose zvaro zvinofadza; nokuti rakaona vechirudzi vachipinda panzvimbo yaro tsvene, avo makaraira nezvavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
  20438. Lam 1:11 Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka chingwa; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuva zvekudya kuvandudza mweya weupenyu. Onai, Jehovha, mutarire; nokuti ndava chinozvidzwa.
  20439. Lam 1:12 Hachisi chinhu kwamuri here imwi mose munopfuura nenzira? Tarirai, zvino onai kana pane kusuruvara sekusuruvara kwangu, kwakaitwa kwandiri, Jehovha kwaakandishungurudza nako pazuva rekupfuta kwekutsamwa kwake.
  20440. Lam 1:13 Ari kumusoro wakatuma moto kumapfupa angu, uye wakakunda; wakateyera tsoka dzangu mumbure; wakandidzosera shure; wakandiita dongo, ndakapera simba zuva rose.
  20441. Lam 1:14 Joko rezvitadzo zvangu rakasungwa neruoko rwake, zvakarukwa, zvakwira pamutsipa wangu; wakawisisa simba rangu, Ishe wakandipa mumaoko avo; handigoni kumuka.
  20442. Lam 1:15 Ishe wakashaisa simba vane simba vangu vose pakati pangu; wakandidanira ungano yakatarwa kuzopwanya majaya angu; Ishe wakatsikira mhandara mukunda waJudha chisviniro.
  20443. Lam 1:16 Ndinochema misodzi nekuda kwezvinhu izvi; ziso rangu, ziso rangu rinoyerera mvura, nokuti munyaradzi anofanira kuvandudza mweya weupenyu wangu ari kure neni; vana vangu vava vakasiiwa, nokuti muvengi wakunda.
  20444. Lam 1:17 Ziyoni rinotandavadza maoko aro; hakuna angarinyaradza; Jehovha wakaraira maererano naJakove kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusarema rava mukadzi wakasviba pakati pavo.
  20445. Lam 1:18 Jehovha wakarurama, nokuti ndakapandukira muromo wake; inzwai henyu, vanhu vose, uye onai kushungurudzika kwangu; mhandara dzangu nemajaya angu vaenda muutapwa.
  20446. Lam 1:19 Ndakadana vadikanwi vangu; ivo vakandinyengera; vapristi vangu nevakuru vangu vakafema kekupedzisira muguta, vachiri kuzvitsvakira zvekudya kuti vavandudze mweya weupenyu wavo.
  20447. Lam 1:20 Onai, Jehovha, nokuti ndiri mukushungurudzika; ura hwangu hwabvongodzwa, moyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndapanduka zvinorwadza. Kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita serufu.
  20448. Lam 1:21 Vakanzwa kuti ini ndinogomera; hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa zvedambudziko rangu, vanofara nokuti imwi makazviita. Muchasvikisa zuva ramakaparidza, ipapo vachava seni.
  20449. Lam 1:22 Uipi hwavo hwose ngahusvike pamberi penyu; uye muvaitire sezvamakandiitira nekuda kwezvitadzo zvangu zvose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, nemoyo wangu wapera simba.
  20450. Lam 2:1 Ishe wakafukidza sei mukunda weZiyoni negore mukutsamwa kwake! Wakapotsera kunaka kwaIsraeri kubva kumatenga kuenda pasi, uye haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rekutsamwa kwake.
  20451. Lam 2:2 Ishe wakamedza ugaro uzhinji hwose hwaJakove, uye haana kunzwira tsitsi; pakutsamwa kwake wakaputsa nhare dzemukunda waJudha; akadziuisa pasi; wakasvibisa umambo nemachinda ahwo.
  20452. Lam 2:3 Wagura mukupfuta kwekutsamwa runyanga rwose rwaIsraeri; wakadzosera shure ruoko rwake rwerudyi pamberi pemuvengi; uye wakapisa muna Jakove semurazvo wemoto unopedza kumativi ose.
  20453. Lam 2:4 Wakakunga uta hwake semuvengi; wakamira neruoko rwake rwerudyi semudzivisi; ndokuuraya vose vaifadza ziso; mutende remukunda weZiyoni wakadurura hasha dzake semoto.
  20454. Lam 2:5 Ishe wakava semuvengi; wakamedza Israeri; wakamedza mizinda yake yose; wakaparadza nhare dzake dzose; uye anowedzera kurira nekuchema kumukunda waJudha.
  20455. Lam 2:6 Zvino watora tende rake nechisimba sebindu; waparadza nzvimbo yake yekusangana; Jehovha wakanganwa nguva yakatarwa uye sabata paZiyoni; ndokumhura muhasha dzekutsamwa kwake mambo nemupristi.
  20456. Lam 2:7 Ishe wakarasa aritari yake; wakasema nzvimbo yake tsvene; wakapfigira muruoko rwemuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha muimba yaJehovha sezuva reungano yakatarwa.
  20457. Lam 2:8 Jehovha wakafunga kuparadza rusvingo rwemukunda weZiyoni; wakatatamura rwonzi rwekuyera; haana kubvisa ruoko rwake pakuparadza; naizvozvo wakachemedza nhare nerusvingo; zvinopera simba pamwe chete.
  20458. Lam 2:9 Masuwo aro akanyura pasi; wakaparadza nekuvhuna zvipfigiso zvaro; mambo nemachinda aro vari pakati pevechirudzi; hapana murairo; uye vaporofita varo havawani chiratidzo kubva pana Jehovha.
  20459. Lam 2:10 Vakuru vemukunda weZiyoni vagere pasi; vanonyarara; vakakushira guruva pamusoro wavo; vakazvisunga zviuno nemasaga; mhandara dzeJerusarema dzakakotamisa musoro wadzo pasi.
  20460. Lam 2:11 Meso angu apera nemisodzi; ura hwangu hunotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nekuda kwekuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu, nokuti vanana nevanoyamwa vanoziya munzira dzemumusha dzeguta.
  20461. Lam 2:12 Vanoti kunana amai vavo: Zviyo newaini zviripi? Pavanoziya sevakakuvadzwa munzira dzemumusha dzeguta, mweya weupenyu wavo paunozvidururira pachipfuva chaamai vavo.
  20462. Lam 2:13 Ndichakupupurei? Chii chandichafananidza newe, iwe mukunda weJerusarema? Chii chandichaenzanisa newe kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZiyoni? Nokuti kuvhunika kwako kukuru segungwa; ndiani achakuporesa?
  20463. Lam 2:14 Vaporofita vako vakakuonera zvisina maturo nezvisina kurungwa, uye havana kubudisa uipi hwako, kuti vadzosere utapwa hwako, asi vakakuonera mitoro yenhema nezvinotapisa.
  20464. Lam 2:15 Vose vanopfuura nenzira vachavarovera maoko pamusoro pako, vanoridza muridzo nekudzungudzira mukunda weJerusarema musoro wavo, vachiti: Ndiro here guta ravanoti nezvaro rakaperera mukunaka, mufaro wenyika yose?
  20465. Lam 2:16 Vavengi vako vose vakakushamisira muromo wavo; vanoridza muridzo nekugeda-geda meno, vanoti: Tarimedza; zvirokwazvo iri izuva rataiva takatarisira; tawana, taona.
  20466. Lam 2:17 Jehovha wakaita zvaaiva akafunga; wakazadzisa shoko rake raaiva araira pamazuva ekare; waputsa uye haana kuva netsitsi; uye wafadza muvengi pamusoro pako; wamisa runyanga rwevadzivisi vako.
  20467. Lam 2:18 Moyo wavo wakachemera kuna Ishe. Iwe rusvingo rwemukunda weZiyoni, misodzi ngaiyerere serwizi masikati neusiku; usazvipa zororo; mboni yeziso rako isarega kunyarara.
  20468. Lam 2:19 Muka, udanidzire neusiku pakutanga kwemirindiro, durura moyo wako semvura pamberi pechiso chaIshe; simudzira maoko ako kwaari nekuda kweupenyu hwevanana vako, vanoziya nenzara panhongonya penzira dzose dzemumusha.
  20469. Lam 2:20 Onai, Jehovha, uye tarirai wamakaitira zvakadai! Vakadzi vachadya chibereko chavo here, vana vavakasvusvudzira? Mupristi nemuporofita vangaurawa panzvimbo tsvene yaIshe here?
  20470. Lam 2:21 Mudiki nemukuru varere pasi munzira dzemumusha; mhandara dzangu nemajaya angu vawa nemunondo; makauraya nezuva rekutsamwa kwenyu, makabaya, hamuna kunzwira tsitsi.
  20471. Lam 2:22 Makadaidza sepazuva reungano yakatarwa zvityiso zvangu kupoteredza; kuti nezuva rekutsamwa kwaJehovha hakuna anopukunyuka kana anosara; vandakagumbatira nekurera muvengi wangu wavapedza.
  20472. Lam 3:1 Ndini murume wakaona dambudziko netsvimbo yekutsamwa kwake.
  20473. Lam 3:2 Wakanditungamirira ndokundiuisa murima asi kwete muchiedza.
  20474. Lam 3:3 Zvirokwazvo wakanditendeukira, wakatendeusira ruoko rwake zuva rose.
  20475. Lam 3:4 Wakasakadza nyama yangu neganda rangu, wakavhuna mapfupa angu.
  20476. Lam 3:5 Wakavaka kundirwisa, ndokundikomberedza nenduru nemarwadzo.
  20477. Lam 3:6 Wakandigarisa panzvimbo dzerima sevakafa vekare.
  20478. Lam 3:7 Wakandikomberedza nerusvingo kuti ndirege kubuda; wakaremesa ketani yangu.
  20479. Lam 3:8 Zvino pandinochema nekudanidzira, anodzivirira munyengetero wangu.
  20480. Lam 3:9 Wakadzivira nzira dzangu nerusvingo rwemabwe akavezwa, akakombamisa makwara angu.
  20481. Lam 3:10 Wava kwandiri bheya rakavandira, shumba iri panzvimbo dzakavanda.
  20482. Lam 3:11 Wakatsausa nzira dzangu, ndokundibvarura-bvarura, wakandiita dongo.
  20483. Lam 3:12 Wakahwembura uta hwake, ndokundiita sechinangwa chemuseve.
  20484. Lam 3:13 Wakapinzisa miseve yegoba rake muitsvo dzangu.
  20485. Lam 3:14 Ndava chiseko kuvanhu vose, rwiyo rwavo zuva rose.
  20486. Lam 3:15 Wakandigutisa nezvinovava, wakandidhakisa negavakava.
  20487. Lam 3:16 Zvino wakapwanya meno angu nerubwe, wakandipwanyidzira mumadota.
  20488. Lam 3:17 Zvino imwi makarasa mweya weupenyu wangu kure nerugare, ndakanganwa zvakanaka.
  20489. Lam 3:18 Naizvozvo ndakati: Zvaparara simba rangu netariro yangu kuna Jehovha.
  20490. Lam 3:19 Rangarirai dambudziko rangu, nekudzungaira kwangu, gavakava, nenduru.
  20491. Lam 3:20 Mweya weupenyu wangu unogarokurangarirai, uye unokotama mandiri.
  20492. Lam 3:21 Izvi ndinozvidzosa mumoyo mangu, naizvozvo ndine tariro.
  20493. Lam 3:22 Unyoro ukuru hwaJehovha kuti tisapedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.
  20494. Lam 3:23 Zvitsva mangwanani ega-ega, kutendeka kwenyu kukuru.
  20495. Lam 3:24 Jehovha mugove wangu, unoreva mweya weupenyu wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
  20496. Lam 3:25 Jehovha wakanaka kune vanomumirira, kumweya weupenyu unomutsvaka.
  20497. Lam 3:26 Zvakanaka kuva netariro uye kumirira ruponeso rwaJehovha mukunyarara.
  20498. Lam 3:27 Zvakanakira murume kuti atakure joko paudiki hwake.
  20499. Lam 3:28 Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye wakamutakudza iro.
  20500. Lam 3:29 Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe pangava netariro.
  20501. Lam 3:30 Ngaape dama rake kune anomurova, ngaagute nekushoorwa.
  20502. Lam 3:31 Nokuti Ishe haangarasi nekusingaperi.
  20503. Lam 3:32 Nokuti kunyange akashungurudza, achanzwira tsitsi nekuwanda kwetsitsi dzake.
  20504. Lam 3:33 Nokuti haatambudzi nemoyo wake kana kushungurudza vana vevanhu.
  20505. Lam 3:34 Kupwanya pasi petsoka dzake vose vasungwa vepanyika;
  20506. Lam 3:35 kutsausa kodzero yemurume pamberi pechiso cheWekumusoro-soro;
  20507. Lam 3:36 kukanganisa munhu panyaya yake; Ishe haazvioni here?
  20508. Lam 3:37 Ndiani angataura, izvo ndokuitika, kana Ishe asingazvirairi?
  20509. Lam 3:38 Hakubudi zvakaipa nezvakanaka kubva mumuromo meWekumusoro-soro here?
  20510. Lam 3:39 Munhu mupenyu anonyunyutirei, murume achirangwa pazvivi zvake?
  20511. Lam 3:40 Ngatinzverei nekuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.
  20512. Lam 3:41 Ngatisimudze moyo wedu nemaoko kuna Mwari ari kumatenga.
  20513. Lam 3:42 Isu takadarika uye takapanduka; imwi hamuna kukanganwira.
  20514. Lam 3:43 Makafukidza nekutsamwa, uye makatidzingirira, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.
  20515. Lam 3:44 Makazvifukidza mugore kuti munyengetero urege kupfuurira.
  20516. Lam 3:45 Makatiita marara nezvinoraswa pakati pemarudzi.
  20517. Lam 3:46 Vavengi vedu vose vakatishamisira muromo wavo.
  20518. Lam 3:47 Kutya nehunza zviri pamberi pedu, kuva dongo nekuparara.
  20519. Lam 3:48 Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pekuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu.
  20520. Lam 3:49 Ziso rangu rinoduruka, uye hariregi, pasina kuguma,
  20521. Lam 3:50 kusvika Jehovha achitarira pasi achiona ari kumatenga.
  20522. Lam 3:51 Ziso rangu rinorwadzisa mweya weupenyu wangu nekuda kwevakunda vose veguta rangu.
  20523. Lam 3:52 Vavengi vangu vakandidzingirira zvinorwadza seshiri pasina chikonzero.
  20524. Lam 3:53 Vakagura upenyu hwangu mugomba, ndokukanda ibwe pamusoro pangu.
  20525. Lam 3:54 Mvura zhinji yakayerera nepamusoro pemusoro wangu; ndakati: Ndagurwa.
  20526. Lam 3:55 Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba pasi-pasi.
  20527. Lam 3:56 Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu pakuchema kwangu.
  20528. Lam 3:57 Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, imwi makati: Usatya.
  20529. Lam 3:58 Ishe, makandireverera nyaya dzemweya weupenyu wangu, makadzikinura upenyu hwangu.
  20530. Lam 3:59 Jehovha, makaona kutadzirwa kwangu; tongai nyaya yangu.
  20531. Lam 3:60 Makaona tsivo yavo yose, mazano avo ose kundirwisa.
  20532. Lam 3:61 Makanzwa kumhurwa kwavo, Jehovha, mazano avo ose kundirwisa;
  20533. Lam 3:62 miromo yevakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
  20534. Lam 3:63 Tarirai kugara kwavo pasi nekusimuka kwavo; ndiri rwiyo rwavo.
  20535. Lam 3:64 Dzoserai kwavari tsivo, Jehovha, zvichienderana nebasa remaoko avo.
  20536. Lam 3:65 Vapei kuoma kwemoyo, kutuka kwenyu kwavari.
  20537. Lam 3:66 Vadzingirirei mukutsamwa uye vaparadzei kubva pasi pematenga aJehovha.
  20538. Lam 4:1 Haiwa, goridhe rasvibirira, goridhe rakanaka rashanduka! Mabwe enzvimbo tsvene adururwa panhongonya yenzira imwe neimwe yemumusha!
  20539. Lam 4:2 Vanakomana vanokosha veZiyoni vanofananidzwa negoridhe rakaisvonaka, vakanzi zvirongo zvevhu sei, basa remaoko emuumbi!
  20540. Lam 4:3 Kunyange makava anobudisa zamu, anoyamwisa vana vawo; mukunda wevanhu vangu wava neutsinye semhou dziri murenje.
  20541. Lam 4:4 Rurimi rwemwana anoyamwa rwunonamatira kumatadza ake nekuda kwenyota; vanana vanokumbira chingwa; hakuna anovamedurira.
  20542. Lam 4:5 Avo vaisidya zvinozipa vava vakasiiwa munzira dzemumusha; vairerwa nezveruvara rushava vombundikira maturunhuru.
  20543. Lam 4:6 Nokuti chitadzo chemukunda wevanhu vangu chikuru kupfuura chivi cheSodhoma, rakaparadzwa sekamwe-kamwe uye kusina maoko akarishonyorora.
  20544. Lam 4:7 VaNazari varo vakanatswa kupfuura magada echando, vakachena kupfuura mukaka, vaiva vakatsvuka pamuviri kupfuura makorari, chimiro chavo chaiva sesafire.
  20545. Lam 4:8 Kuonekwa kwavo kwakasviba kupfuura utema, havazikanwi munzira dzemumusha; ganda ravo rinonamatira mapfupa avo, rasvava, rava sedanda.
  20546. Lam 4:9 Vakaurawa nemunondo vari nani pane vakaurawa nenzara; nokuti ivo vanoonda vachibaiwa nekushaya zvibereko zvemunda.
  20547. Lam 4:10 Maoko evakadzi vane tsitsi akabika vana vavo; vakava zvekudya kwavari pakuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu.
  20548. Lam 4:11 Jehovha wakapedzisa kutsamwa kwake, wakadurura kupfuta kwekutsamwa kwake, uye wakabatidza moto muZiyoni, iwo ndokupedza nheyo dzaro.
  20549. Lam 4:12 Madzimambo epasi nevagari vose vepanyika havazaitenda kuti mudzivisi nemuvengi vangadai vakapinda mumasuwo eJerusarema.
  20550. Lam 4:13 Zvakadaro nekuda kwezvivi zvevaporofita varo nezvitadzo zvevapristi varo vakateura ropa revakarurama mukati maro.
  20551. Lam 4:14 Vakadzungaira semapofu munzira dzemumusha, vakasvibiswa neropa, pasina vanogona kubata nguvo dzavo.
  20552. Lam 4:15 Vakadanidzira kwavari vachiti: Ibvai, rakasviba! Ibvai, ibvai, regai kubata! Pavakatiza nekudzungaira, vakati pakati pemarudzi: Havangazogarizve pano sevatorwa.
  20553. Lam 4:16 Chiso chaJehovha chakavaparadzira; haachavataririzve; havana kuremekedza vapristi, uye havana kuva nenyasha kuvakuru.
  20554. Lam 4:17 Isu, meso edu anongopera achitarira rubatsiro rwedu pasina; pakutarira kwedu takatarira rudzi rusingaponesi.
  20555. Lam 4:18 Vanoronda matsimba edu kuti tisafamba munzira dzedu dzemumusha; kuguma kwedu kwaswedera, mazuva edu azadziswa, nokuti kuguma kwedu kwasvika.
  20556. Lam 4:19 Vadzingiriri vedu vanomhanyisa kupfuura makondo ematenga, vakadzingirirana nesu pamusoro pemakomo, vakativandira murenje.
  20557. Lam 4:20 Mweya wemhino dzedu, muzodzwa waJehovha, wakabatwa mumakomba avo; iye watakati: Pasi pemumvuri wake tichararama pakati pemarudzi.
  20558. Lam 4:21 Farisisa, uve nemufaro, iwe mukunda weEdhomu, ugere munyika yeUzi; mukombe uchapfuurira kwauriwo; iwe uchadhakwa ukazvifukura.
  20559. Lam 4:22 Uipi hwako hwapera, iwe mukunda weZiyoni; haachazokutapizve; achashanyira uipi hwako, iwe mukunda weEdhomu; achafukura zvivi zvako.
  20560. Lam 5:1 Rangarirai, Jehovha, zvakaitika kwatiri; tarirai, muone kushoorwa kwedu.
  20561. Lam 5:2 Nhaka yedu yashandurirwa kuvatorwa, dzimba dzedu kuvaeni.
  20562. Lam 5:3 Tiri nherera dzisina baba; vana amai vedu vava sechirikadzi.
  20563. Lam 5:4 Takanwa mvura yedu nemari; huni dzedu dzinouya nemutengo.
  20564. Lam 5:5 Tinodzingirirwa pamitsipa yedu; taneta uye hatina zororo.
  20565. Lam 5:6 Takapa ruoko kuvaEgipita, nekuvaAsiriya, kuti tigutswe nezvekudya.
  20566. Lam 5:7 Madzibaba edu akatadza, havachipo; uye isu takatakura zvitadzo zvavo.
  20567. Lam 5:8 Varanda vanotitonga; hapana anonunura kubva muruoko rwavo.
  20568. Lam 5:9 Tinowana chingwa chedu nenjodzi yeupenyu hwedu, nekuda kwemunondo werenje.
  20569. Lam 5:10 Ganda redu rakapisa sechoto nekuda kwekupisa kukuru kwenzara.
  20570. Lam 5:11 Vakachinyira vakadzi paZiyoni, nemhandara pamaguta aJudha.
  20571. Lam 5:12 Machinda akasungirirwa neruoko rwavo; zviso zvevakuru hazvina kuremekedzwa.
  20572. Lam 5:13 Majaya akatakura guyo, vana ndokugumburwa pasi pehuni.
  20573. Lam 5:14 Vakuru vakapera pasuwo, nemajaya pakuimba kwavo.
  20574. Lam 5:15 Mufaro wemoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashandurwa kuva kuchema.
  20575. Lam 5:16 Korona yemusoro wedu yawa; haiwa, nhamo kwatiri nokuti takatadza!
  20576. Lam 5:17 Nekuda kweizvi moyo yedu yapera simba; nekuda kwezvinhu izvi meso edu asvibirirwa.
  20577. Lam 5:18 Nekuda kwegomo reZiyoni rava dongo; makava anofamba pamusoro paro.
  20578. Lam 5:19 Imwi Jehovha munogara nekusingaperi; chigaro chenyu cheushe chinobva kuzera kusvika kuzera.
  20579. Lam 5:20 Munotikanganwirei nekusingaperi, muchitirasa pakureba kwemazuva?
  20580. Lam 5:21 Tidzoserei kwamuri, Jehovha, zvino tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sekare.
  20581. Lam 5:22 Asi makatiramba zvirokwazvo; makatitsamwira zvikurusa
  20582. Ezk 1:1 Zvino zvakaitika mugore remakumi matatu, mumwedzi wechina, nerechishanu remwedzi, pandaiva pakati pevakatapwa parwizi Kebhari, matenga akazarurwa, ini ndokuona zviratidzo zvaMwari.
  20583. Ezk 1:2 Nerechishanu remwedzi rinova gore rechishanu rekutapwa kwamambo Jehoiakini,
  20584. Ezk 1:3 shoko raJehovha rakasvika zvirokwazvo kuna Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, mupristi, munyika yevaKaradhiya, parwizi Kebhari; uye ruoko rwaJehovha rwakava pamusoro pake ipapo.
  20585. Ezk 1:4 Zvino ndakaona, uye tarira, dutu remhepo richibva kumaodzanyemba, gore guru, nemoto wakazvibatidza, nekubwinya kumativi aro ose, nemukati maro makabva zvakaita seruvara rwedare mukati memoto.
  20586. Ezk 1:5 Zvino mukati maro makabva mufananidzo wezvisikwa zvina zvipenyu. Zvino ichi chaiva chimiro chazvo: Zvaiva nemufananidzo wemunhu.
  20587. Ezk 1:6 Zvino chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina; uye chimwe nechimwe chazvo chaiva nemapapiro mana.
  20588. Ezk 1:7 Zvino makumbo azvo aiva makumbo akarurama, nepasi petsoka dzazvo pakaita sepasi petsoka dzemhuru; uye dzaipenya seruvara rwendarira yakabwinyiswa.
  20589. Ezk 1:8 Zvino zvaiva nemaoko emunhu pasi pemapapiro azvo pamativi azvo mana; uye izvi zvina zvaiva nezviso zvazvo nemapapiro azvo.
  20590. Ezk 1:9 Mapapiro azvo aibatana rimwe kune rimwe; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo; zvakafamba, chimwe nechimwe chakarurama mberi.
  20591. Ezk 1:10 Kana zviri zvemufananidzo wezviso zvazvo, izvi zvina zvaiva nechiso chemunhu nechiso cheshumba kurudyi, uye izvo zvina zvaiva nechiso chenzombe kuruboshwe; izvo zvinawo zvaiva nechiso chegondo.
  20592. Ezk 1:11 Uye zviso zvazvo nemapapiro azvo zvakaparadzaniswa kumusoro; zviviri zvechimwe nechimwe zvakabatanidzwa chimwe kune chimwe, uye zviviri zvakafukidza miviri yazvo.
  20593. Ezk 1:12 Uye zvakafamba chimwe nechimwe chakarurama mberi; zvakaenda kwaienda mweya; zvisingatsauki pakufamba kwazvo.
  20594. Ezk 1:13 Kana zviri zvemufananidzo wezvisikwa zvipenyu, kuonekwa kwazvo kwaiva kwakaita semazimbe emoto anopfuta, sekuonekwa kwemwenje mizhinji. Zvakafamba kuenda uko neuko pakati pezvisikwa zvipenyu, uye moto waiva wakajeka, uye mumoto makabuda mheni.
  20595. Ezk 1:14 Zvino zvisikwa zvipenyu zvakamhanya ndokudzoka sekuonekwa kwekupenya kwemheni.
  20596. Ezk 1:15 Zvino ndakati ndichitarira zvisikwa zvipenyu, tarira, vhiri rimwe pamusoro penyika pazvisikwa zvipenyu, pazviso zvacho zvina.
  20597. Ezk 1:16 Kuonekwa kwemavhiri nebasa rawo zvakafanana neruvara rwebheriri; uye izvo zvina zvaiva nemufananidzo umwe, nekuonekwa kwazvo nebasa razvo seraiva vhiri pakati pevhiri.
  20598. Ezk 1:17 Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo.
  20599. Ezk 1:18 Kana ari marimu awo, aiva akakwirira kwazvo zvekuti aityisa, uye marimu azvo aiva akazara nemeso kupoteredza mativi awo mana.
  20600. Ezk 1:19 Zvino pakuenda kwezvisikwa zvipenyu, mavhiri akaenda nazvo; uye pakusimudzwa kwezvisikwa zvipenyu kubva panyika, mavhiri akasimudzwa.
  20601. Ezk 1:20 Kwaienda mweya zvakaendako, ndipo paienda mweya; uye mavhiri akasimudzwa akanangana nazvo; nokuti mweya wechisikwa chipenyu waiva mumavhiri.
  20602. Ezk 1:21 Pakaenda izvo, neizvi zvakafamba; nepakamira izvo, izvi zvakamira; uye pakasimudzwa izvo kubva panyika, mavhiri akasimudzwa pamusoro pakatarisana nazvo, nokuti mweya wechisikwa chipenyu waiva mumavhiri.
  20603. Ezk 1:22 Zvino mufananidzo wemuchadenga pamusoro pemisoro yezvisikwa zvipenyu waiva wakaita seruvara rwekrisitaro inotyisa, rwakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo kubva kumusoro.
  20604. Ezk 1:23 Zvino pasi pekunze mapapiro azvo akarurama, rimwe rakananga rimwe; chimwe nechimwe chaiva nemaviri aifukidza kurutivi rwuno, uye chimwe nechimwe chaiva nemaviri aifukidza kurutivi urwo, miviri yazvo.
  20605. Ezk 1:24 Zvino pakufamba kwazvo ndakanzwa ruzha rwemapapiro azvo, seruzha rwemvura zhinji, seinzwi reWemasimbaose, inzwi rebope, seruzha rwehondo; pazvakamira zvakadzisa mapapiro azvo.
  20606. Ezk 1:25 Zvino kwakava neinzwi kubva pamusoro pemuchadenga chaiva chiri pamusoro pemisoro yazvo, pazvakamira, zvikadzisa mapapiro azvo.
  20607. Ezk 1:26 Zvino kumusoro kwemuchadenga kwaiva pamusoro pemisoro yazvo, kwaiva nemufananidzo wechigaro chekutonga, semufananidzo weibwe resafiri; uye pamusoro pemufananidzo wechigaro chekutonga paiva nemufananidzo sekuonekwa kwemunhu pamusoro pacho nechepamusoro.
  20608. Ezk 1:27 Zvino ndakaona seruvara rwedare, sekuonekwa kwemoto wakapoteredza mukati macho, kubva pakuonekwa kwechiuno chake zvichikwirawo, uye kubva pakuonekwa kwechiuno chake zvichidzikawo ndakaona sekuonekwa kwemoto, uye kupenya kwakamupoteredza.
  20609. Ezk 1:28 Sekuonekwa kwemurarabungu uri mugore pazuva remvura, kwaiva kwakadaro kuonekwa kwekubwinya kwakapoteredza; uku kwaiva kuonekwa kwemufananidzo wekubwinya kwaJehovha. Zvino pandakaona ndakawa nechiso changu, ndokunzwa inzwi rewakataura.
  20610. Ezk 2:1 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mira nemakumbo ako, zvino ndichataura newe.
  20611. Ezk 2:2 Zvino kwakapinda kwandiri Mweya paaitaura kwandiri, ndokundimisa netsoka dzangu; ini ndokumunzwa achitaura kwandiri.
  20612. Ezk 2:3 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, ndinokutuma kuvana vaIsraeri, kumarudzi anopanduka akandipandukira; ivo nemadzibaba avo vakanditadzira, kusvika zuva irori chairo.
  20613. Ezk 2:4 Nokuti vana vakasindimara pachiso uye vane moyo mikukutu; ndinokutuma kwavari uye uchati kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha.
  20614. Ezk 2:5 Zvino ivo, kunyange vachanzwa, kana kunyange vakarega (nokuti iimba inopanduka), zvakadaro vachaziva kuti paiva nemuporofita pakati pavo.
  20615. Ezk 2:6 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, usavatya, uye usatya mashoko avo, kunyange rukato neminzwa zvinewe, uye ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, uye usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti vari imba inopanduka.
  20616. Ezk 2:7 Asi uchataura mashoko angu kwavari, kunyange vakanzwa, kana kunyange vakarega; nokuti vanopanduka.
  20617. Ezk 2:8 Asi iwe, mwanakomana wemunhu, inzwa zvandinoreva kwauri; usapanduka seimba inopanduka; zarura muromo wako ugodya zvandichakupa.
  20618. Ezk 2:9 Zvino ndakaona, uye tarira, ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, uye tarira, rugwaro rwakapetwa rwuri marwuri.
  20619. Ezk 2:10 Zvino wakarwupetenura pamberi pangu, uye rwaiva rwakanyorwa mberi neshure, uye maiva makanyorwa mukati marwo mariro nekuchema nenhamo.
  20620. Ezk 3:1 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, idya chaunowana; idya rugwaro rwakapetwa urwu, zvino uende unotaura kuimba yaIsraeri.
  20621. Ezk 3:2 Zvino ndakashamisa muromo wangu, iye ndokundidyisa rugwaro urwo rwakapetwa.
  20622. Ezk 3:3 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, dyisa dumbu rako, ugozadza ura hwako nerugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Zvino ndakadya, ndokuva seuchi mumuromo mangu pakutapira.
  20623. Ezk 3:4 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, famba uende kuimba yaIsraeri, utaure kwavari nemashoko angu.
  20624. Ezk 3:5 Nokuti hautumwi kuvanhu vemutauro wakadzama neverurimi rwunorema, asi kuimba yaIsraeri.
  20625. Ezk 3:6 Kwete kuvanhu vazhinji vemutauro wakadzama neverurimi rwunorema, manzwi avo ausinganzwisisi; zvirokwazvo dai ndakakutuma kwavari, ivo vaikunzwa.
  20626. Ezk 3:7 Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera, nokuti havadi kunditeerera; nokuti imba yose yaIsraeri ine huma yakasindimara, uye vane moyo mukukutu.
  20627. Ezk 3:8 Tarira, ndakasimbisa chiso chako kurwisa chiso chavo, uye huma yako yakasimba kurwisa huma yavo.
  20628. Ezk 3:9 Ndakaitisa huma yako sedhaimani rinooma kupfuura musarasara; usavatya, uye usavhunduswa nechiso chavo, kunyange vari imba inopanduka.
  20629. Ezk 3:10 Wakatiwo kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, gamuchira mumoyo mako ugonzwa nenzeve dzako.
  20630. Ezk 3:11 Uye famba uende kune vari muutapwa, kuvana vevanhu vako, ugotaura kwavari ugoti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha; kunyange vakakunzwa uye kunyange vakarega.
  20631. Ezk 3:12 Zvino Mweya wakandisimudza, uye ndakanzwa shure kwangu ruzha rwekuunga kukuru kuchinzi: Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe kubva panzvimbo yake.
  20632. Ezk 3:13 Ndakanzwawo ruzha rwemapapiro ezvisikwa zvipenyu zvaibatana, neruzha rwemavhiri pakanangana nazvo, neruzha rwekuunga kukuru.
  20633. Ezk 3:14 Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundibvisa; zvino ndakaenda kukushungurudzika pakupfuta kwemweya wangu; asi ruoko rwaJehovha rwaiva nesimba pamusoro pangu.
  20634. Ezk 3:15 Zvino ndakasvika kune vaiva muutapwa paTeriabhibhi, vaiva vagere parwizi rwaKebhari, uye ndakagara pavaiva vakagara, ndokugarapo mazuva manomwe ndakashamisika pakati pavo.
  20635. Ezk 3:16 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva manomwe kuti shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20636. Ezk 3:17 Mwanakomana wemunhu, ndakakuita nharirire kuimba yaIsraeri; naizvozvo inzwa shoko kubva mumuromo mangu, uvayambire zvinobva kwandiri.
  20637. Ezk 3:18 Kana ndikati kune wakaipa: Uchafa zvekufa; zvino iwe ukasamuyambira, uye ukasataura kuyambira wakaipa kubva panzira yake yakaipa, kuponesa upenyu hwake, wakaipa uyu achafa muuipi hwake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
  20638. Ezk 3:19 Asi kana iwe ukayambira wakaipa, asi akasatendeuka kubva pazvakaipa zvake nepanzira yake yakaipa, iye achafira muuipi hwake, asi iwe wanunura mweya weupenyu wako.
  20639. Ezk 3:20 Uye kana wakarurama akatsauka pakururama kwake, ndokuita chitadzo, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, iye achafa; nokuti iwe hauna kumuyambira, achafira muchivi chake, uye kururama kwake kuzhinji kwaakaita hakungarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
  20640. Ezk 3:21 Asi kana iwe ukayambira wakarurama, kuti wakarurama asatadza, zvino iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti akayambirwa; zvino iwe uchanunura mweya weupenyu wako.
  20641. Ezk 3:22 Zvino ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu ipapo; iye ndokuti kwandiri: Simuka, ubude uende mubani, zvino ikoko ndichataura newe.
  20642. Ezk 3:23 Zvino ndakasimuka ndokubudira kubani, zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kumirepo, sekubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; zvino ndakawira pasi nechiso changu.
  20643. Ezk 3:24 Zvino Mweya wakapinda mandiri ndokundimisa nemakumbo angu, ndokutaura neni ndokuti kwandiri: Enda, uzvivharire mukati meimba yako.
  20644. Ezk 3:25 Asi iwe, mwanakomana wemunhu, tarira, vachaisa zvisungo pamusoro pako uye vachakusunga nazvo kuti usabuda pakati pavo.
  20645. Ezk 3:26 Zvino ndichanamatidza rurimi rwako kumatadza ako, kuti uve mbeveve, uye hauchavi mutsiuri kwavari; nokuti ivo iimba inopanduka.
  20646. Ezk 3:27 Asi pandinotaura newe, ndichashamisa muromo wako, zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha. Anonzwa ngaanzwe, uye anorega ngaarege, nokuti ivo iimba inopanduka.
  20647. Ezk 4:1 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, zvitorere chitinha, uchigadzike pamberi pako, unyore nekuvezapo guta Jerusarema.
  20648. Ezk 4:2 Zvino urikombe kurirwisa, urivakire nhare kurirwisa, uritutire murwi wekurwa nawo, uriitire musasa kurirwisa, nekuriisira makondobwe ekuputsa kumativi ose kurirwisa.
  20649. Ezk 4:3 Zvino iwe, zvitorere gango redare, urigadze rive rusvingo rwedare pakati pako neguta; zvino urinzire chiso chako wakatarisana naro, zvino richava pakukombwa, uye ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsraeri.
  20650. Ezk 4:4 Iwe urarewo nerutivi rwako rweruboshwe, uye uise pamusoro parwo chitadzo cheimba yaIsraeri; zvichienderana neuwandu hwemazuva aunorara pamusoro parwo uchatakura chitadzo chavo.
  20651. Ezk 4:5 Nokuti ini ndakakupa makore echitadzo chavo zvichienderana neuwandu hwemazuva, mazuva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura chitadzo cheimba yaIsraeri.
  20652. Ezk 4:6 Kana waapedza iwo, rara zvekare nerutivi rwako rwerudyi, kuti utakure chitadzo cheimba yaJudha, mazuva makumi mana; ndakakutarira zuva rive gore, zuva rive gore.
  20653. Ezk 4:7 Naizvozvo ucharinzira chiso chako pakukombwa kweJerusarema, uye ruoko rwako rwakafukurwa; zvino uchaporofita pamusoro paro.
  20654. Ezk 4:8 Zvino tarira, ndichaisa zvisungo pamusoro pako kuti usashanduka kubva kurutivi kuenda kuritivi, kusvika wapedza mazuva ekukomba kwako.
  20655. Ezk 4:9 Iwe uzvitorerewo gorosi nebhari nenyemba nemarendiri nemapfunde nesipereti, uzviise mumudziyo umwe, ugozviitira chingwa nazvo; zvichienderana neuwandu hwemazuva aucharara nerutivi rwako, mazuva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe, uchadya icho.
  20656. Ezk 4:10 Zvino zvekudya zvako zvauchadya zvichava nechiyero, mashekeri makumi maviri pazuva; uchazvidya nguva nenguva.
  20657. Ezk 4:11 Uchanwawo mvura nechiyero, chetanhatu chehini; uchainwa nguva nenguva.
  20658. Ezk 4:12 Zvino uchadya keke rebhari, uye ucharibheka pameso pavo nendove inobuda pamunhu.
  20659. Ezk 4:13 Jehovha ndokuti: Saizvozvo vana vaIsraeri vachadya chingwa chavo chakasvibiswa pakati pemarudzi kwandichavadzingira.
  20660. Ezk 4:14 Zvino ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha! Tarirai, mweya weupenyu wangu hauna kusvibiswa; kunyange kubva paudiki hwangu kusvika ikozvino handina kudya chakafa chega kana chakabvamburwa, uye hakuna nyama yakan’ora yakapinda mumuromo mangu.
  20661. Ezk 4:15 Zvino akati kwandiri: Tarira, ndakupa ndove yemombe pachinzvimbo chendove yevanhu; zvino uchagadzira chingwa chako nayo.
  20662. Ezk 4:16 Akatiwo kwandiri: Mwanakomana wemunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wechingwa paJerusarema; zvino vachadya chingwa neuremu uye nekungwarira, uye vachanwa mvura nechiyero uye nekuvhunduka;
  20663. Ezk 4:17 kuti vashayiwe chingwa nemvura, vavhunduke umwe neumwe, vapere muuipi hwavo.
  20664. Ezk 5:1 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, zvitorere banga rinopinza; uzvitorere chisvo chevavevuri, uchifambise pamusoro pemusoro wako nepamusoro pechirebvu chako; zvino uzvitorere zvipimo zvekuyera ugokamura [vhudzi].
  20665. Ezk 5:2 Chetatu upise nemoto pakati peguta, kana mazuva ekukomba azara; utorewo chetatu uchiteme mativi aro ose nemunondo; uye chetatu uparadzire mumhepo; zvino ndichavhomora munondo shure kwavo.
  20666. Ezk 5:3 Utorewo shoma pauwandu pariri urisungire mumipendero yako.
  20667. Ezk 5:4 Zvino uchatorazve pariri ndokurikandira mukati memoto, uripise mumoto; kuchabuda pariri moto kuenda kuimba yose yaIsraeri.
  20668. Ezk 5:5 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iri iJerusarema, ndakarimisa pakati pemarudzi, uye nyika dzakaripoteredza.
  20669. Ezk 5:6 Asi rakashandura mitongo yangu ikava kuipa kupfuura marudzi, nezvimiso zvangu kupfuura nyika dzakaripoteredza; nokuti vakaramba mitongo yangu nezvimiso zvangu; havana kufamba mazviri.
  20670. Ezk 5:7 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti makaita bongozozo kupfuura marudzi akakupoteredzai, hamuna kufamba muzvimiso zvangu, uye hamuna kuchengeta mitongo yangu, uye hamuna kuita zvinoenderana nemitongo yemarudzi akakupoteredzai,
  20671. Ezk 5:8 naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, iyeni, ndinopikisana newe, uye ndichaita mitongo pakati pako pameso emarudzi.
  20672. Ezk 5:9 Uye ndichaita pakati penyu zvandisina kumboita, uye handingaitizve zvakadaro, nekuda kwezvinyangadzo zvako zvose.
  20673. Ezk 5:10 Naizvozvo madzibaba achadya vanakomana mukati mako, nevanakomana vachadya madzibaba avo; zvino ndichaita mitongo pakati pako, nevakasara vako vose ndichavaparadzira kumhepo dzose.
  20674. Ezk 5:11 Naizvozvo, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvinosemesa zvako zvose, uye nezvinyangadzo zvako zvose, naizvozvo ini ndichakudukupisa, uye ziso rangu haringakuregi, uye ini handingavi netsitsi.
  20675. Ezk 5:12 Chetatu chako chichafa nehosha, uye chichapedzwa nenzara mukati mako; uye chetatu chichawa nemunondo kumativi ako ose; uye chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nekuvhomora munondo shure kwavo.
  20676. Ezk 5:13 Saizvozvo kutsamwa kwangu kuchapera, uye ndichazorodzesa hasha dzangu pamusoro pavo, zvino ndichanyaradzwa; uye vachaziva kuti ini Jehovha ndakataura mukushingaira kwangu, kana ndapedza hasha dzangu mavari.
  20677. Ezk 5:14 Zvino ndichakuita dongo nechishoorwa pakati pemarudzi akakupoteredza, pameso evose vanopfuura.
  20678. Ezk 5:15 Saizvozvo chichava chishoorwa nechiseko, chidzidzo nechityiso kumarudzi akakupoteredza, pandichaita mitongo mauri mukutsamwa nemuhasha nemukutsiura kukuru kwehasha; ini Jehovha ndataura.
  20679. Ezk 5:16 Pandichatuma pamusoro pavo miseve yakaipa yenzara, ichava yekuparadza, yandichatuma kukuparadza, ipapo ndichawedzera nzara pamusoro pako, uye ndichagura mudonzvo wechingwa kwamuri.
  20680. Ezk 5:17 Saizvozvo ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa, uye zvichakutorerai vana; uye hosha neropa zvichapfuura nemauri, uye ndichauisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.
  20681. Ezk 6:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20682. Ezk 6:2 Mwanakomana wemunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsraeri, ugoporofita pamusoro pawo,
  20683. Ezk 6:3 uye uti: Imwi makomo aIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Anoreva seizvi Ishe Jehovha kumakomo, nekuzvikomo, kunzizi, nekumipata: Tarira, iyeni ndichauisa munondo pamusoro penyu, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
  20684. Ezk 6:4 Zvino dziaritari dzenyu dzichava matongo, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvichakoromorwa; uye vakaurawa venyu ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.
  20685. Ezk 6:5 Zvino ndichaisa zvitunha zvevana vaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; uye ndichaparadzira mapfupa enyu kupoteredza dziaritari dzenyu.
  20686. Ezk 6:6 Panzvimbo dzenyu dzose dzekugara maguta achaitwa matongo, kuti nzvimbo dzenyu dzakakwirira dziparare, kuti dziaritari dzenyu dziparadzwe dziitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nemabasa enyu anyangarike.
  20687. Ezk 6:7 Zvino vakaurawa vachawa pakati penyu, zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20688. Ezk 6:8 Zvakadaro ndichasiya vakasara kuti muve nevamwe vachapukunyuka munondo pakati pemarudzi pamuchaparadzirwa nemudzinyika.
  20689. Ezk 6:9 Zvino vakapukunyuka venyu vachandirangarira pakati pemarudzi kwavachatapirwa, nokuti ndaputswa nekuda kwemoyo yavo inofeva yakabva kwandiri, uye nemeso avo anofeva achitevera zvifananidzo zvavo; uye vachazvisema ivo vomene nekuda kwezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
  20690. Ezk 6:10 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvi.
  20691. Ezk 6:11 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Rova neruoko rwako, uye tsikisa pasi nerutsoka rwako, uye uti: Maiwe! Nekuda kwezvinyangadzo zvakaipa zvose zveimba yaIsraeri; nokuti vachawa nemunondo, nenzara, uye nehosha.
  20692. Ezk 6:12 Ari kure achafa nehosha, uye ari pedo achawa nemunondo, newakasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
  20693. Ezk 6:13 Ipapo muchaziva kuti ndiri Jehovha, vakaurawa vavo pavachava pakati pezvifananidzo kupoteredza dziaritari dzavo, pamusoro pechikomo chipi nechipi chakakwirira, panhongonya dzose dzemakomo, nepasi pemuti umwe neumwe munyoro, nepasi pemuouki umwe neumwe mukobvu, nzvimbo pavakapa zvinonhuhwira zvinotapira kuzvifananidzo zvavo zvose.
  20694. Ezk 6:14 Saizvozvo ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nekuita nyika dongo, hongu kuva dongo kupfuura renje wakananga kuDhibhirati, panzvimbo dzavo dzose dzekugara; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  20695. Ezk 7:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti:
  20696. Ezk 7:2 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, anoreva seizvi Ishe Jehovha kunyika yaIsraeri: Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.
  20697. Ezk 7:3 Ikozvino kuguma kuri pamusoro pako; zvino ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, uye ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, uye ndichauisa pamusoro pako zvinyangadzo zvako zvose.
  20698. Ezk 7:4 Zvino ziso rangu haringakunzwiri tsitsi, uye handingaregi; nokuti ndichapa nzira dzako pamusoro pako, uye zvinyangadzo zvako zvichava pakati pako; ipapo muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20699. Ezk 7:5 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Njodzi, njodzi imwe chete, tarirai yasvika.
  20700. Ezk 7:6 Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira; tarirai, kwasvika.
  20701. Ezk 7:7 Mangwanani asvika kwauri, iwe mugari wepanyika; nguva yasvika, zuva redambudziko rava pedo, uye asati ari maungira emakomo.
  20702. Ezk 7:8 Ikozvino ndava pedo kudurura kupfuta kwangu pamusoro pako, uye ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, uye ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, uye ndichauisa pamusoro pako zvinyangadzo zvako zvose.
  20703. Ezk 7:9 Zvino ziso rangu haringanzwiri tsitsi, uye handingaregi; ndichapa zvinoenderana nenzira dzako pamusoro pako, uye zvinyangadzo zvako zvichava pakati pako; ipapo muchaziva kuti ndiri Jehovha anorova.
  20704. Ezk 7:10 Tarirai zuva, tarirai rasvika; mangwanani abuda, tsvimbo yabukira, kuzvikudza kwamera.
  20705. Ezk 7:11 Chisimba chasimuka kuva tsvimbo yeuipi; hakuna anosara kwavari, uye hakuna pachaunga chavo, uye hakuna pana ani wavo, uye hakungavi nekuvaungudzira.
  20706. Ezk 7:12 Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, nemutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pechaunga chayo chose.
  20707. Ezk 7:13 Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange upenyu hwavo huchiri mukati mevapenyu, nokuti chiratidzo maererano nechaunga chayo chose hachingadzokeri, uye hakungavi nemunhu anosimbisa upenyu hwake pauipi hwake.
  20708. Ezk 7:14 Vakaridza hwamanda kuti vagadzire zvose, asi hakuna anoenda kuhondo; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pechaunga chayo chose.
  20709. Ezk 7:15 Munondo uri kunze, nehosha nenzara zviri mukati; ari kusango achafa nemunondo; uye ari muguta, nzara nehosha zvichamupedza.
  20710. Ezk 7:16 Asi vakapukunyuka vavo vachapukunyuka, uye vachava pamakomo senjiva dzemipata, vose vachichema, umwe neumwe pamusoro pechitadzo chake.
  20711. Ezk 7:17 Maoko ose achashayiwa simba, uye mabvi ose achayerera semvura.
  20712. Ezk 7:18 Zvino vachazvisunga zviuno nemasaga, uye kutya kuchavafukidza, nenyadzi dzive pamusoro pezviso zvose, nemhanza pamusoro pemisoro yavo yose.
  20713. Ezk 7:19 Vacharasa sirivha yavo munzira dzemumusha, negoridhe ravo rive chakasviba; sirivha yavo negoridhe ravo hazvingagoni kuvanunura nezuva rekutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yeupenyu yavo, uye hazvingazadzi ura hwavo, nokuti zvichava chigumbuso chechitadzo chavo.
  20714. Ezk 7:20 Kana kuri kunaka kwezvishongo zvake, wakakuisa paukuru, asi vakaita zvifananidzo zvezvinyangadzo zvavo nezvezvinosemesa zvavo mazviri; naizvozvo ndakazviita zvive chinhu chakasviba kwavari.
  20715. Ezk 7:21 Zvino ndichazvipa muruoko rwevatorwa kuva chakapambiwa, uye kune vakaipa vepanyika kuva chakapambiwa, uye vachazvisvibisa.
  20716. Ezk 7:22 Ndichafuratidzawo chiso changu kubva kwavari, uye vachasvibisa nzvimbo dzangu dzakavanzwa; nokuti vapambi vachapindamo ndokuisvibisa.
  20717. Ezk 7:23 Itai ketani, nokuti nyika izere mhosva dzeropa, uye guta rizere nechisimba.
  20718. Ezk 7:24 Naizvozvo ndichauisa vakaipisisa vemarudzi, ivo vachagara nhaka yedzimba dzavo; ndichaitawo mugumo wemanyawi evane simba; nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
  20719. Ezk 7:25 Kutya kunouya, zvino vachatsvaka rugare, asi hakuna.
  20720. Ezk 7:26 Kuparara kuchauya pamusoro pekuparara, uye guhu richava pamusoro peguhu; ipapo vachatsvaka chiratidzwa chemuporofita, asi murairo uchaparara kubva kumupristi, nezano kubva kuvakuru.
  20721. Ezk 7:27 Mambo achachema, uye muchinda achapfeka kuparara, uye maoko evanhu venyika achabvunda; ndichaita kwavari zvinoenderana nenzira yavo, uye zvinoenderana nemitemo yavo ndichavatonga. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  20722. Ezk 8:1 Zvino zvakaitika mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu, nereshanu remwedzi, ini ndigere muimba yangu, uye vakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwirapo pamusoro pangu.
  20723. Ezk 8:2 Zvino ndakaona, uye tarira, mufananidzo sekuonekwa kwemoto; kubva pakuonekwa kwechiuno chake zvichiburukawo, moto; uye kubva pachiuno chake zvichikwira sekuonekwa kwekupenya, seruvara rwendarira.
  20724. Ezk 8:3 Zvino wakatandavadza chimiro cheruoko, ndokunditora nemhotsi yemusoro wangu; Mweya ndokundisimudza pakati penyika nematenga, ndokundiunza kuJerusarema muzviratidzo zvaMwari, kumukova wesuwo rechivanze chemukati wakananga kumaodzanyemba, paiva nechigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.
  20725. Ezk 8:4 Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaivapo, zvinoenderana nechiratidzo chandakaona mumupata.
  20726. Ezk 8:5 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, simudzira hako meso ako kunzira yakananga kumaodzanyemba. Naizvozvo ndakasimudzira meso angu kunzira yakananga kumaodzanyemba; zvino tarira, kumaodzanyemba pasuwo rearitari chifananidzo ichi cheshanje panopindwa napo.
  20727. Ezk 8:6 Akatizve kwandiri: Mwanakomana wemunhu, unoona zvavanoita here? Zvinyangadzo zvikuru imba yaIsraeri zvairi kuita pano, kuti ndive kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinyangadzo zvikuru.
  20728. Ezk 8:7 Zvino wakandiunza kumukova wechivanze, uye pandakatarisa, tarira buri pamadziro.
  20729. Ezk 8:8 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, chera ikozvino pamadziro; zvino pandakachera pamadziro, tarira, mukova.
  20730. Ezk 8:9 Zvino wakati kwandiri: Pinda, zvino tarira zvinyangadzo zvakaipa zvavanoita pano.
  20731. Ezk 8:10 Zvino ndakapinda ndokuona, zvino tarira, rudzi rumwe nerumwe rwechinokambaira, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri, zvakavezwa pamadziro mativi ose akapoteredza.
  20732. Ezk 8:11 Zvino varume makumi manomwe vevakuru veimba yaIsraeri vaiva vakamira pamberi pazvo, uye Jaazaniya mwanakomana waShafani waiva akamira pakati pavo; uye umwe neumwe hadyana yake yezvinonhuhwira muruoko rwake; uye gore gobvu rezvipfungaidzo zvinonhuhwira richikwira.
  20733. Ezk 8:12 Zvino iye wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, waona here vakuru veimba yaIsraeri zvavanoita murima, umwe neumwe mumakamuri emifananidzo yake? Nokuti vanoti: Jehovha haationi; Jehovha wakasiya nyika.
  20734. Ezk 8:13 Zvino wakati kwandiri: Uchaonazve zvimwe zvinyangadzo zvikuru zvavanoita.
  20735. Ezk 8:14 Zvino wakandiunza kumukova wesuwo reimba yaJehovha raiva kumaodzanyemba; zvino tarira, kwaiva kugerepo vakadzi vachichema Tamuzi.
  20736. Ezk 8:15 Zvino wakati kwandiri: Waona here, iwe mwanakomana wemunhu? Uchaonazve zvimwe zvinyangadzo zvikuru kupfuura izvi.
  20737. Ezk 8:16 Zvino wakandiunza muchivanze chemukati cheimba yaJehovha; uye tarira, pamukova wetembere yaJehovha pakati peberere nearitari pane varume vanenge makumi maviri nevashanu; misana yavo yakatarisa kutembere yaJehovha, uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva; uye ivo vaishumira zuva kumabvazuva.
  20738. Ezk 8:17 Zvino wakati kwandiri: Waona here, iwe mwanakomana wemunhu? Chinhu chakareruka here kuimba yaJudha kuti vaite zvinyangadzo zvavanoita pano? Nokuti vakazadza nyika nechisimba, zvino vakadzoka kunditsamwisa. Zvino tarira, vanoisa davi kumhino yavo.
  20739. Ezk 8:18 Naizvozvo neni ndichaita nekupfuta; ziso rangu haringavi netsitsi, uye handingaregi; kunyange vakachema munzeve dzangu neinzwi guru, handingavanzwi.
  20740. Ezk 9:1 Zvino wakadanidzira munzeve dzangu [ne]inzwi guru achiti: Swededzai vatariri veguta, uye umwe neumwe [ane] chombo chake chekuparadza muruoko rwake.
  20741. Ezk 9:2 Zvino tarira, varume vatanhatu vakauya kubva kunzira yesuwo rekumusoro rakananga kumaodzanyemba, uye umwe neumwe ane chombo chake chekuputsa muruoko rwake, uye murume umwe pakati pavo akapfeka mucheka wakapfava, ane runyanga rweingi rwemunyori pachiuno chake. Zvino vakapinda ndokumira parutivi rwearitari yendarira.
  20742. Ezk 9:3 Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakakwira kubva pakerubhi pakwaiva kuenda kuchikumbaridzo cheimba; zvino akadana kumurume waiva akapfeka mucheka wakapfava, aiva nerunyanga rweingi rwemunyori pachiuno chake.
  20743. Ezk 9:4 Zvino Jehovha wakati kwaari: Pfuura nepakati peguta, nepakati peJerusarema, uye udhinde chiratidzo pahuma dzevanhu vanogomera nekuchema pamusoro pezvinyangadzo zvose zvinoitwa mukati maro.
  20744. Ezk 9:5 Asi kune vamwe ava anoti munzveve dzangu: Pfuurai muguta shure kwake uye rovai; ziso renyu ngarirege kurega, uye musava netsitsi.
  20745. Ezk 9:6 Urayai nekuparadza mukuru, mudiki, nemhandara, nemwanana, nevakadzi; asi regai kuswedera kune umwe neumwe ane chiratidzo; zvino tangai panzvimbo yangu tsvene. Zvino vakatanga pavarume vatana vaiva pamberi peimba.
  20746. Ezk 9:7 Zvino wakati kwavari: Svibisai imba, uye zadzai zvivanze nevakaurawa; budai. Zvino vakabuda ndokuuraya muguta.
  20747. Ezk 9:8 Zvino zvakaitika pavaivauraya, ini ndakasara, ndakawa nechiso changu ndokuchema ndokuti: Haiwa, Ishe Jehovha! Munoparadza vose vakasara vaIsraeri pakudurura kupfuta kwenyu pamusoro peJerusarema here?
  20748. Ezk 9:9 Zvino wakati kwandiri: Uipi hweimba yaIsraeri naJudha hwakura kwazvo-kwazvo, uye nyika izere neropa zhinji, neguta rizere nekutsauka; nokuti vanoti: Jehovha wakasiya nyika, uye Jehovha haaoni.
  20749. Ezk 9:10 Neniwo, ziso rangu harinzwiri tsitsi, uye handiregi; ndichauisa nzira yavo pamusoro wavo.
  20750. Ezk 9:11 Zvino tarira, murume waiva akapfeka mucheka wakapfava, ane runyanga rweingi pachiuno chake, wakadzosa shoko achiti: Ndaita sezvamakandiraira.
  20751. Ezk 10:1 Zvino ndakaona, uye tarira, muchadenga chaiva pamusoro pemusoro wemakerubhi, kwakaonekwa pamusoro pawo sechaiva sebwe resafire, sekuonekwa kwemufananidzo wechigaro cheushe.
  20752. Ezk 10:2 Zvino wakataura kumurume wakapfeka mucheka wakapfava, ndokuti: Pinda mukati memavhiri, pasi pekerubhi, zvino uzadze zvanza zvemaoko ako nemazimbe emoto kubva pakati pemakerubhi, zvino ukushe pamusoro peguta. Zvino wakapinda pamberi pemeso angu.
  20753. Ezk 10:3 Zvino makerubhi aiva akamira parutivi rwerudyi rweimba, murume uyu paakapinda; gore ndokuzadza chivanze chemukati.
  20754. Ezk 10:4 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakakwira kubva pakerubhi, pamusoro pechikumbaridzo cheimba; imba ndokuzara negore, nechivanze ndokuzara nekupenya kwekubwinya kwaJehovha.
  20755. Ezk 10:5 Zvino ruzha rwemapapiro emakerubhi rwakanzwikwa kusvika kuchivanze chekunze, seinzwi raMwari Wemasimbaose kana achitaura.
  20756. Ezk 10:6 Zvino zvakaitika araira murume waiva akapfeka mucheka wakapfava achiti: Tora moto kubva pakati pemavhiri, kubva pamakerubhi; ipapo akapinda ndokumira parutivi rwemavhiri.
  20757. Ezk 10:7 Zvino kerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kubva pakati pamakerubhi kumoto waiva pakati pemakerubhi, ndokutorapo ndokuuisa muzvanza zvewaiva akapfeka mucheka wakapfava; iye ndokuutora ndokubuda.
  20758. Ezk 10:8 Zvino kwakaonekwa mumakerubhi chimiro cheruoko rwemunhu pasi pemapapiro awo.
  20759. Ezk 10:9 Zvino ndakaona, uye tarira, mavhiri mana parutivi rwemakerubhi, vhiri rimwe parutivi rwekerubhi rimwe, uye rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe; zvino kuonekwa kwemavhiri kwaiva kwakaita seruvara rweibwe rebheriri.
  20760. Ezk 10:10 Pakuonekwa kwawo, iwo ari mana aiva nemufananidzo umwe, sezvinonzi vhiri raiva mukati mevhiri.
  20761. Ezk 10:11 Pakuenda kwawo, aienda nemativi awo mana; haana kutsauka paaifamba, asi nzvimbo kwaaiva akatarisa musoro akaitevera; haana kutsauka pakufamba kwawo.
  20762. Ezk 10:12 Zvino muviri wawo wose, nemisana yawo, nemaoko awo, nemapapiro awo, nemavhiri, zvaiva zvizere meso kupoteredza, mavhiri awo ari mana aaiva nawo.
  20763. Ezk 10:13 Kana ari mavhiri, kwakadanidzirwa kwaari munzeve dzangu: Vhiri!
  20764. Ezk 10:14 Zvino rimwe nerimwe raiva nezviso zvina; chiso chekutanga chaiva chiso chekerubhi, uye chiso chechipiri chaiva chiso chemunhu, uye chechitatu chaiva chiso cheshumba, nechechina chaiva chiso chegondo.
  20765. Ezk 10:15 Zvino makerubhi ndokuzvisimudza. Ichi chisikwa chipenyu chandakaona parwizi rweKebhari.
  20766. Ezk 10:16 Zvino makerubhi paaifamba, mavhiri akafamba kurutivi rwawo; uye makerubhi paakasimudza mapapiro awo kuti akwire abve panyika, mavhiri iwayo haana kudzoka kubva kurutivi rwawo.
  20767. Ezk 10:17 Paaimira, aimira, uye paaisimuka, aizvisimudzawo; nokuti mweya wechisikwa chipenyu waiva mukati mawo.
  20768. Ezk 10:18 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakabuda kubva pachikumbaridzo cheimba, ndokumira pamusoro pamakerubhi.
  20769. Ezk 10:19 Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokukwira kubva panyika pamberi pemeso angu, paaibuda, mavhiriwo aiva parutivi rwawo, uye akamira pamukova wesuwo rekumabvazuva reimba yaJehovha; uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaiva pamusoro pawo.
  20770. Ezk 10:20 Ichi chisikwa chipenyu chandakaona pasi paMwari waIsraeri parwizi rwaKebhari; zvino ndikaziva kuti aiva makerubhi.
  20771. Ezk 10:21 Rimwe nerimwe raiva nezviso zvina, uye rimwe nerimwe raiva nemapapiro mana; nemufananidzo wemaoko emunhu pasi pemapapiro awo.
  20772. Ezk 10:22 Kana uri mufananidzo wezviso zvawo, ndizvo zviso zvandakaona parwizi rweKebhari, kuonekwa kwazvo, naizvo pachazvo; zvakafamba, chimwe nechimwe pamberi pechiso chacho.
  20773. Ezk 11:1 Zvino Mweya wakandisimudza ndokundiunza pasuwo remabvazuva reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva; zvino tarira, pamukova wesuwo paiva nevarume makumi maviri nevashanu; uye pakati pavo ndakaona Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu.
  20774. Ezk 11:2 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, ava varume vanofunga zvakaipa, uye vanoraira zano rakaipa muguta iri;
  20775. Ezk 11:3 vanoti: Hazvisati zvava pedo kuvaka dzimba; guta iri igate, uye isu tiri nyama.
  20776. Ezk 11:4 Naizvozvo porofita uchipokana navo, porofita, mwanakomana wemunhu.
  20777. Ezk 11:5 Zvino Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, ndokuti kwandiri: Taura: Anoreva seizvi Jehovha: Ndizvo zvamakareva imwi imba yaIsraeri; nokuti zvinobva mupfungwa yenyu, ini ndinozviziva.
  20778. Ezk 11:6 Makawanza vakaurawa venyu muguta iri, ndokuzadza nzira dzaro dzemumusha nevakaurawa.
  20779. Ezk 11:7 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Vakaurawa venyu vamakaradzika mukati maro, ivo inyama, asi iri igate, asi imwi ndichakubudisai mukati maro.
  20780. Ezk 11:8 Makatya munondo, zvino ndichaunza munondo pamusoro penyu, anoreva Ishe Jehovha.
  20781. Ezk 11:9 Zvino ndichakubudisai mukati maro, nekukukumikidzai muruoko rwevatorwa, uye ndichaita mutongo pakati penyu.
  20782. Ezk 11:10 Muchawa nemunondo; ndichakutongai mumuganhu waIsraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
  20783. Ezk 11:11 Guta iri haringavi gate renyu kana imwi kuva nyama mukati maro; ndichakutongai mumuganhu waIsraeri.
  20784. Ezk 11:12 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu uye hamuna kuita mitongo yangu, asi makaita maererano nemitongo yevatorwa vakakupoteredzai.
  20785. Ezk 11:13 Zvino zvakaitika pandakaporofita kuti Peratiya mwanakomana waBhenaya wakafa. Zvino ndakawa nechiso changu ndokudanidzira neinzwi guru ndokuti: Haiwa, Ishe Jehovha, imwi muchapedza vakasara vaIsraeri here?
  20786. Ezk 11:14 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20787. Ezk 11:15 Mwanakomana wemunhu, hama dzako, varume veukama hwako, neimba yose yaIsraeri yose, ndivo vagari veJerusarema vavakati kwavari: Ibvai kure naJehovha, nyika iyi yakapiwa isu kuva nhaka.
  20788. Ezk 11:16 Naizvozvo uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Kunyange ndakavaisa kure pakati pevahedheni, uye kunyange ndakavaparadzira pakati penyika zhinji, zvakadaro ndichava kwavari senzvimbo tsvene diki kunyika dzavachasvika kwadziri.
  20789. Ezk 11:17 Naizvozvo uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichakukokorodzaiwo kubva kumarudzi, uye ndichakuunganidzai kubva kunyika dzamakaparadzirwa kwadziri, uye ndichakupai nyika yaIsraeri.
  20790. Ezk 11:18 Zvino vachasvikamo ndokubvisa zvose zvinosemesa zvaro nezvinyangadzo zvaro zvose kubvapo.
  20791. Ezk 11:19 Zvino ndichavapa moyo umwe, nemweya mutsva ndichapa pakati pavo, uye ndichabvisa mweya weibwe kubva munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;
  20792. Ezk 11:20 kuti vafambe muzvimiso zvangu, nekuchengeta mitemo yangu, nekuzviita. Zvino vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.
  20793. Ezk 11:21 Asi vemoyo wavo unofamba uchitevera moyo wezvinosemesa zvavo nezvinyangadzo zvavo, ndichaunza nzira yavo pamusoro wavo, anoreva Ishe Jehovha.
  20794. Ezk 11:22 Zvino makerubhi akasimudza mapapiro awo, nemavhiri parutivi rwawo; uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaiva pamusoro pawo nechekumusoro.
  20795. Ezk 11:23 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakwira kubva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.
  20796. Ezk 11:24 Zvino Mweya wakandisimudza ndokundiisa kuKaradhiya muchiratidzo cheMweya waMwari, kuna vakatapwa. Saizvozvo chiratidzo chandakaona chakakwira kubva kwandiri.
  20797. Ezk 11:25 Zvino ndakataura kune vakatapwa zvinhu zvose Jehovha zvaakandionesa.
  20798. Ezk 12:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20799. Ezk 12:2 Mwanakomana wemunhu, ugere pakati peimba inopanduka, ivo vane meso ekuona asi havaoni, vane nzeve dzekunzwa asi havanzwi, nokuti vari imba inopanduka.
  20800. Ezk 12:3 Naizvozvo iwe, mwanakomana wemunhu, zviitire nhumbi dzekutama, utame masikati pamberi pemeso avo; zvino uchatama kubva panzvimbo yako kuenda kune imwe nzvimbo pamberi pemeso avo. Zvimwe vachaona kunyange vari imba inopanduka.
  20801. Ezk 12:4 Zvino uchabudisa nhumbi dzako masikati senhumbi dzekutama pamberi pemeso avo; uye iwe uchabuda madekwani pamberi pemeso avo, sekubuda kwevanotama.
  20802. Ezk 12:5 Zvino uzviboorere rusvingo pamberi pemeso avo, udzibudise nepo.
  20803. Ezk 12:6 Uchadzitakura pafudzi pamberi pemeso avo, udzibudise kwasviba; uchafukidza chiso chako kuti usaona ivhu; nokuti ndakakuisa kuva chiratidzo kuimba yaIsraeri.
  20804. Ezk 12:7 Zvino ndakaita saizvozvo sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati senhumbi dzekutama; uye madekwani ndikazviboorera rusvingo neruoko; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi pamberi pemeso avo.
  20805. Ezk 12:8 Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20806. Ezk 12:9 Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri, imba yekupanduka, havana here kuti kwauri: Unoitei?
  20807. Ezk 12:10 Uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uyu mutoro wemuchinda paJerusarema neimba yose yaIsraeri iri pakati pavo.
  20808. Ezk 12:11 Uti: Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita, zvichaitwa saizvozvo kwavari; vachaenda mukutamiswa, muutapwa.
  20809. Ezk 12:12 Zvino muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi pafudzi kwasviba ndokubuda; vachaboora nemurusvingo kuti vabudise nepo; achafukidza chiso chake, kuti iye asaona ivhu nemeso.
  20810. Ezk 12:13 Zvino ndichamuwaridzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu, uye ndichamuunza muBhabhironi, nyika yevaKaradhiya; asi haangaioni, kunyange achafirako.
  20811. Ezk 12:14 Nevose vakamupoteredza kumubatsira, nemapoka ake ose, ndichaparadzira kumhepo imwe neimwe, uye ndichavhomora munondo shure kwavo.
  20812. Ezk 12:15 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichavaparadzira pakati pemarudzi, nekuvarashanya mudzinyika.
  20813. Ezk 12:16 Asi ndichasiya varume vashoma kwavari vabve pamunondo, panzara, nepahosha, kuti varondedzere zvinyangadzo zvavo zvose pakati pevahedheni kwavanosvikapo; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  20814. Ezk 12:17 Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti:
  20815. Ezk 12:18 Mwanakomana wemunhu, uchadya chingwa chako nekubvunda, nekunwa mvura yako nekudedera nekungwarira.
  20816. Ezk 12:19 Zvino uti kuvanhu vepanyika: Anoreva seizvi Ishe Jehovha pamusoro pevagari veJerusarema munyika yaIsraeri: Vachadya chingwa chavo nekungwarira, nekunwa mvura yavo nekukanganiswa, kuti nyika yepo iitwe dongo nekuzara kwayo, nekuda kwechisimba chavo vose vageremo.
  20817. Ezk 12:20 Zvino maguta anogarwa achava matongo, nenyika ichava renje; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20818. Ezk 12:21 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20819. Ezk 12:22 Mwanakomana wemunhu, tsumo iyi chii yamunayo munyika yaIsraeri inoti: Mazuva anorebeswa, asi chiratidzo chose chichaparara?
  20820. Ezk 12:23 Naizvozvo uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichagumisa tsumo iyi, uye havachaishandisizve setsumo kwaIsraeri. Asi uti kwavari: Mazuva ava pedo, neshoko rechiratidzo chose.
  20821. Ezk 12:24 Nokuti hakuchazovizve nechiratidzo chose chisina maturo kana kuuka kunobata kumeso pakati peimba yaIsraeri.
  20822. Ezk 12:25 Nokuti ini Jehovha ndichataura; shoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti mumazuva enyu, iwe imba inopanduka, ndichareva shoko, uye ndichariita, anoreva Ishe Jehovha.
  20823. Ezk 12:26 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  20824. Ezk 12:27 Mwanakomana wemunhu, tarira, vemba yaIsraeri vanoti: Chiratidzo chaanoona ndechemazuva mazhinji, uye anoporofita zvenguva dziri kure.
  20825. Ezk 12:28 Naizvozvo uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Hakuna rimwe remashoko angu richazononokazve; shoko randakataura richaitika, anoreva Ishe Jehovha.
  20826. Ezk 13:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20827. Ezk 13:2 Mwanakomana wemunhu, porofitira vaporofita vaIsraeri vanoporofita, zvino uti kune vanoporofita kubva mumoyo yavo: Inzwai shoko raJehovha.
  20828. Ezk 13:3 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kuvaporofita mapenzi, vanotevera mweya wavo, asi vasina kuona chinhu.
  20829. Ezk 13:4 Israeri, vaporofita venyu vakaita semakava pamatongo.
  20830. Ezk 13:5 Hamuna kukwira pakakoromorwa kana kugadzirira imba yaIsraeri ruzhowa kuti mumire pahondo pazuva raJehovha.
  20831. Ezk 13:6 Vakaona zvisina maturo, nekuuka kwenhema, vaiti: Jehovha ati; asi Jehovha asina kuvatuma; uye vakatarira kusimbisa shoko.
  20832. Ezk 13:7 Hamuna kuona chiratidzwa chisina maturo here, kana kutaura kuuka kwenhema here? Zvakadaro munoti: Jehovha wati; asi ini handina kutaura.
  20833. Ezk 13:8 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvamakataura zvisina maturo, uye makaona nhema, naizvozvo tarirai, ndinopokana nemwi, anoreva Ishe Jehovha.
  20834. Ezk 13:9 Zvino ruoko rwangu rwucharwa nevaporofita vanoona zvisina maturo nevanouka nhema; havangavi muungano yevanhu vangu, uye havanganyorwi muchinyorwa cheimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri; zvino muchaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.
  20835. Ezk 13:10 Nokuti, hongu nokuti vanotsausa vanhu vangu vachiti: Rugare; iko kusina rugare; uye umwe anovaka rusvingo, uye tarira vamwe vanorwunama nedope.
  20836. Ezk 13:11 Reva kune vanonama nedope kuti rwuchawa; kuchava nemvura inoyeredza; newe, mabwe makuru echimvuramabwe, uchawa; nedutu remhepo richatsemura.
  20837. Ezk 13:12 Tarira, kana rusvingo rwawa, hazvinganzi here kwamuri: Riripi dope ramakanamisa?
  20838. Ezk 13:13 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Hongu ndicharutsemusa nedutu remhepo mukupfuta kwangu, uye kuchava nemvura inokukura mukutsamwa kwangu, nemabwe echimvuramabwe mukupfuta kwangu, kurwupedza.
  20839. Ezk 13:14 Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakanama nedope, nekurwuwisira pasi, kuti nheyo yarwo ifukurwe; zvino rwuchawa, nemwi muchapedzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20840. Ezk 13:15 Saizvozvo ndichapedza kutsamwa kwangu parusvingo, nepavakarwunama nedope; zvino ndichati kwamuri: Rusvingo harwuchipo, nevakarwunama havachipo;
  20841. Ezk 13:16 zvinoreva vaporofita vaIsraeri vanoporofita pamusoro peJerusarema, nevanorionera chiratidzwa cherugare, izvo hakuna rugare, anoreva Ishe Jehovha.
  20842. Ezk 13:17 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kupokana nevakunda vevanhu vako, ivo vanoporofita kubva mumoyo yavo, uporofite uchipokana navo.
  20843. Ezk 13:18 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kune vakadzi vanosonera mazango pamagokora eruoko rwumwe nerwumwe, vanoita micheka mirefu yekufukidza pamusoro pemusoro weurefu hwupi nehwupi, kuti vavhime mweya yeupenyu. Muchavhima mweya yeupenyu yevanhu vangu here, uye muchazvichengetera mweya yeupenyu iri mipenyu here?
  20844. Ezk 13:19 Zvino muchandisvibisa here pakati pevanhu vangu nekuda kwetsama dzebhari uye nekuda kwezvimedu zvechingwa, kuti muuraye mweya yeupenyu isingafaniri kufa, nekuchengeta iri mipenyu mweya yeupenyu isingafaniri kuva mipenyu, nekureva kwenyu nhema kuvanhu vangu vanoteerera nhema.
  20845. Ezk 13:20 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinopokana nemazango enyu, amunovhima nawo ikoko mweya yeupenyu muchiibhururusa, zvino ndichaadimura kubva pamaoko enyu ndigorega mweya yeupenyu iende, iyo mweya yeupenyu yamunovhima kuti muibhururuse.
  20846. Ezk 13:21 Nemicheka yenyu mirefu yekufukidza misoro ndichabvarura, zvino ndichanunura vanhu vangu kubva muruoko rwenyu, uye havachazovizve muruoko rwenyu kuti vavhimiwe. Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20847. Ezk 13:22 Nokuti nenhema makarwadzisa moyo wewakarurama, wandisina kurwadzisa ini, uye makasimbisa maoko ewakaipa, kuti asadzoka kubva panzira yake yakaipa, kumuchengeta ari mupenyu.
  20848. Ezk 13:23 Naizvozvo hamuchaonizve zvisina maturo, uye hamuchauki zvinoukwa, nokuti ndichanunura vanhu vangu kubva muruoko rwenyu; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20849. Ezk 14:1 Zvino kwakasvika kwandiri vamwe vevakuru vaIsraeri ndokugara pamberi pangu.
  20850. Ezk 14:2 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20851. Ezk 14:3 Mwanakomana wemunhu, vanhu ava vakamisa zvifananidzo zvavo mumoyo wavo, uye vakaisa chigumbuso chechitadzo chavo pamberi pechiso chavo; ndingabvunzwa kwazvo navo here?
  20852. Ezk 14:4 Naizvozvo taura kwavari, zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Munhu umwe neumwe weimba yaIsraeri anomisa zvifananidzo zvake mumoyo make, nekuisa chigumbuso chechitadzo chake pamberi pechiso chake, nekuuya kumuporofita, ini Jehovha ndichapindura uyo anouya zvichienderana nekuwanda kwezvifananidzo zvake;
  20853. Ezk 14:5 kuti ndibate imba yaIsraeri mumoyo wavo, nokuti vose vaitwa vatorwa kwandiri nekuda kwezvifananidzo zvavo.
  20854. Ezk 14:6 Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Dzokai, uye furatirai zvifananidzo zvenyu, uye furatidzai zviso zvenyu pazvinyangadzo zvenyu zvose.
  20855. Ezk 14:7 Nokuti umwe neumwe weimba yaIsraeri, kana wemutorwa agere semutorwa paIsraeri anozviparadzanisa pakunditevera, ndokumisa zvifananidzo zvake mumoyo make, nekuisa chigumbuso chechitadzo chake pamberi pechiso chake, ndokuuya kumuporofita kumubvunza nezvangu: Ini Jehovha ndichamupindura ndomene.
  20856. Ezk 14:8 Zvino ndicharingira chiso changu kupokana nemunhu uyu, uye ndichamuita chiratidzo netsumo zhinji, uye ndichamugura kubva pakati pevanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  20857. Ezk 14:9 Zvino kana muporofita akanyengerwa, kana ataura shoko, ini Jehovha ndanyengera muporofita uyo, uye ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pake, uye ndichamuparadza kubva pakati pevanhu vangu Israeri.
  20858. Ezk 14:10 Zvino vachatakura mhosva yavo. Semhosva yeanobvunza, ichadaro mhosva yemuporofita;
  20859. Ezk 14:11 kuti imba yaIsraeri isazotsaukazve kubva pakunditevera, uye isazozvisvibisazve nezvitadzo zvavo zvose; asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo, anoreva Ishe Jehovha.
  20860. Ezk 14:12 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20861. Ezk 14:13 Mwanakomana wemunhu, nyika painonditadzira nekutadza kukuru, ipapo ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro payo, uye ndichavhuna mudonzvo wechingwa chayo, ndigotuma kwairi nzara, nekugura kubva kwairi munhu nemhuka.
  20862. Ezk 14:14 Kunyange varume ava vatatu, Nowa, Dhaniyeri, naJobho vakava pakati paro, ivo vanganunura mweya yeupenyu yavo yega nekururama kwavo, anoreva Ishe Jehovha.
  20863. Ezk 14:15 Kana ndikapfuurisa zvikara zvakaipa nemunyika, zvikaipedzera vana, ikava dongo, kuti kusava nemunhu anopfuura nekuda kwezvikara,
  20864. Ezk 14:16 kunyange varume ava vatatu vaiva pakati paro, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, havanganunuri vanakomana kana vanasikana. Ivo voga vachanunurwa, asi nyika ichava dongo.
  20865. Ezk 14:17 Zvimwe kana ndikauisa munondo pamusoro penyika iyo, uye ndikati: Munondo, pfuura nemunyika! kuti ndigure munhu nemhuka kubva mairi;
  20866. Ezk 14:18 kunyange varume ava vatatu vaiva pakati payo, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, havanganunuri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vomene vachanunurwa.
  20867. Ezk 14:19 Zvimwe kana ndikatuma hosha munyika iyo, nekudurura kupfuta kwangu pamusoro payo muropa, kugura kubva mairi munhu nemhuka;
  20868. Ezk 14:20 kana Nowa, Dhaniyeri, naJobho vaiva pakati paro, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, havanganunuri mwanakomana kana mwanasikana; ivo vachanunura mweya weupenyu wavo nekururama kwavo.
  20869. Ezk 14:21 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvikuru sei pandinotuma mitongo yangu mina inorwadza pamusoro peJerusarema, munondo, nenzara, nechikara chakaipa, nehosha, kugura kubva mairi munhu nemhuka!
  20870. Ezk 14:22 Asi tarirai, kuchasara mairi vakapukunyuka vachabudiswa, vanakomana nevanasikana; tarirai, vachabudira kwamuri, zvino muchaona nzira yavo nezviito zvavo, zvino muchanyaradzwa pamusoro pechakaipa chandakauisa pamusoro peJerusarema, zvose zvandakauisa pamusoro paro.
  20871. Ezk 14:23 Zvino vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezviito zvavo; zvino muchaziva kuti handina kuita pasina chikonzero zvose zvandakaita mariri, anoreva Ishe Jehovha.
  20872. Ezk 15:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20873. Ezk 15:2 Mwanakomana wemunhu, muti wemuzambiringa unopfuura miti yose nei, davi riri pakati pemiti yemusango?
  20874. Ezk 15:3 Danda ringatorwa pauri kuita basa here? Vangatora pauri mbambo here kuti varemberedze mudziyo upi neupi pairi?
  20875. Ezk 15:4 Tarirai, unoiswa mumoto uve chekudya; moto unopedza micheto miviri yawo, nepakati pawo panopiswa; unobatsira basa here?
  20876. Ezk 15:5 Tarirai, pawaiva wakaperera, hauna kuitwa uve basa. Uchaitwa uve basa zvishoma sei moto paunenge waupedza wapiswa!
  20877. Ezk 15:6 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Semuti wemuzambiringa pakati pemiti yemusango, wandakapa kumoto uve chekudya, saizvozvo ndichaita vagari veJerusarema.
  20878. Ezk 15:7 Zvino ndichavaringira chiso changu; vachabuda kubva mumoto kuti umwe moto uvaparadze; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndichivaringira chiso changu.
  20879. Ezk 15:8 Zvino ndichaitisa nyika dongo, nokuti vakatadza chitadzo, anoreva Ishe Jehovha.
  20880. Ezk 16:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  20881. Ezk 16:2 Mwanakomana wemunhu, zivisa Jerusarema zvinyangadzo zvaro.
  20882. Ezk 16:3 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha kuJerusarema: Chizvarigo chako nekwawakaberekwa kwakabva kunyika yevaKenani; baba vako vaiva muAmori, namai vako muHiti.
  20883. Ezk 16:4 Uye chizvarigo chako pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa mumvura kuti unake, uye hauna kutongokwizwa nemunyu, uye hauna kutongoputirwa nemachira.
  20884. Ezk 16:5 Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kukuitira chimwe chezvinhu izvi, kukunzwira ngoni; asi wakarasirwa pachiso chesango, pakusemwa kwehunhu hwako pazuva rawakaberekwa.
  20885. Ezk 16:6 Pandakapfuura nepauri ndokukuona uchipfakanyika muropa rako, zvino ndikati kwauri uri muropa rako: Rarama! Hongu ndakati kwauri uri muropa rako: Rarama!
  20886. Ezk 16:7 Ndakakupamhidzirisa kwazvo sebukira rekusango, uye wakawedzera ndokukura, uye wakasvika paukomba hwakaisvonaka; mazamu akaumbika, nevhudzi rako rakakura, asi waiva usina kupfeka uye wakashama.
  20887. Ezk 16:8 Pandakapfuura nepauri, ndokukuona, zvino tarira, nguva yako yaiva nguva yerudo, zvino ndakawarira mupendero wenguvo yangu pamusoro pako ndokufukidza kushama kwako, hongu, ndakakupikira, ndokupinda musungano newe, anoreva Ishe Jehovha, iwe ndokuva wangu.
  20888. Ezk 16:9 Zvino ndakakushambidza nemvura, uye ndakasuka ropa rako kwauri, uye ndakakuzodza nemafuta.
  20889. Ezk 16:10 Ndakakufukidzawo nezvakarukwa, ndikakupfekedza shangu dzematehwe ezvikumba, ndakasunga chiuno chako nerineni yakapfava, ndakakufukidza nesiriki.
  20890. Ezk 16:11 Ndakakushongedza neukomba, uye ndakaisa zvishongo zvemaoko pazvanza zvako, neruketani pamutsipa wako.
  20891. Ezk 16:12 Zvino ndakaisa chindori pamhino yako, nezvishongo panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
  20892. Ezk 16:13 Saizvozvo wakashongedzwa negoridhe nesirivha, uye zvipfeko zvako irineni yakapfava nesiriki nezvakarukwa; wakadya upfu hwakatsetseka neuchi nemafuta; uye waiva wakanakisisa kwazvo, uye wakabudirira kuita ushe.
  20893. Ezk 16:14 Zvino mbiri yako yakabudira pakati pevahedheni nekuda kwekunaka kwako, nokuti kwaiva kwakaperera kubudikidza nekweumambo hwangu hwandaiva ndaisa pamusoro pako, anoreva Ishe Jehovha.
  20894. Ezk 16:15 Asi wakavimba nerunako rwako, ndokufeva nekuda kwezita rako, ndokudurura ufeve hwako kuna ani nani anopfuura, hukava hwake.
  20895. Ezk 16:16 Zvino wakatora pazvipfeko zvako, ndokuzviitira nzvimbo dzakakwirira nemavara akasiyana-siyana, ndokufeva pamusoro pazvo; zvakadaro hazvingauyi uye hazvingaitiki.
  20896. Ezk 16:17 Wakatorawo zvishongo zvako zvakanaka pagoridhe rangu nepasirivha yangu, zvandaiva ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvevarume, ukaita ufeve nazvo.
  20897. Ezk 16:18 Wakatorawo zvipfeko zvako zvakarukwa, ndokuzvifukidza, ndokuisa mafuta angu nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvangu pamberi pazvo.
  20898. Ezk 16:19 Zvekudya zvanguwo zvandakakupa, upfu hwakatsetseka nemafuta neuchi zvandakakufunda nazvo, wakazviisawo pamberi pazvo, zvive hwema hunonhuhwira; zvikava saizvozvo, anoreva Ishe Jehovha.
  20899. Ezk 16:20 Uye wakatora vanakomana vako nevanasikana vako, vawakandiberekera, wakabaira ivo kuti vadyiwe. Chinhu chidiki here cheufeve ukuru hwako,
  20900. Ezk 16:21 zvawakazouraya vana vangu, ukavapa kuti uvapfuudzise nemumoto nekuda kwavo?
  20901. Ezk 16:22 Nepamanyara ako ose neufeve hwako hauna kurangarira mazuva eudiki hwako, pawaiva usina kupfeka uye wakashama, uchipfakanyika muropa rako.
  20902. Ezk 16:23 Zvino zvakaitika shure kwekuipa kwako kose (nhamo, nhamo kwauri, anoreva Ishe Jehovha),
  20903. Ezk 16:24 wakazvivakirawo mudunduru, wakazviitira nzvimbo yakakwirira panzira imwe neimwe yemumusha.
  20904. Ezk 16:25 Kumusoro umwe neumwe wenzira wakavaka nzvimbo yako yakakwirira, wakaita kunaka kwako kusemese, ukazarura tsoka dzako kuna ani nani anopfuura, wakawanza ufeve hwako.
  20905. Ezk 16:26 Wakafevawo nevaEgipita vavakidzani vako, vakuru panyama, ukawanza ufeve hwako, kuti unditsamwise.
  20906. Ezk 16:27 Naizvozvo tarira, ndakatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pako, uye ndakatapudza mugove wako wakatarwa, ndikakuisa muchido chevanokuvenga, vakunda vevaFirisitia vakanyadziswa nenzira yako yakaipa.
  20907. Ezk 16:28 Wakafevawo nevaAsiriya, nokuti waiva usingagutsikani; zvirokwazvo, wakafeva navo, zvakadarowo hauna kugutsikana.
  20908. Ezk 16:29 Wakawanzawo kufeva kwako panyika yevashambadziri, kusvika kuKaradhiya; asi zvakadaro pane izvi hauna kugutsikana.
  20909. Ezk 16:30 Moyo wako unoshaiwa simba zvakadii, anoreva Ishe Jehovha, pakuita kwako zvinhu izvi zvose, basa remukadzi anofeva, anotonga;
  20910. Ezk 16:31 pakuvaka kwako mudunduru wako pamusoro wenzira imwe neimwe, nekuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yemumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo wechifeve.
  20911. Ezk 16:32 Haiwa mukadzi anofeva, anotora vatorwa pachinzvimbo chemurume wake!
  20912. Ezk 16:33 Vanopa chipo kuzvifeve zvose, asi iwe unopa zvipo zvako kuvadikanwi vako vose, uchivatenga kuti vauye kwauri kubva kumativi ose nekuda kweufeve ukuru hwako.
  20913. Ezk 16:34 Naizvozvo mauri mune kupesana nevanhukadzi paufeve kwako ukuru, zvakusina anokutevera kunofeva; uye zvaunopa muripo wechifeve iwe asi hakuna muripo wechifeve unopiwa kwauri; naizvozvo uri wakapesana.
  20914. Ezk 16:35 Naizvozvo iwe chifeve, inzwa shoko raJehovha.
  20915. Ezk 16:36 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti ufeve hwako hwakadururwa, uye kushama kwako kwakafukurwa nekufeva kwako kuzhinji nevadikanwi vako, uye nekuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, uye zvichienderana neropa revana vako, rawakazvipa;
  20916. Ezk 16:37 naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawaifara navo, nevose vawaida, pamwe nevose vawaivenga; uye ndichavaunganidza vakakukomba kukurwisa, uye ndichafukura kushama kwako kwavari, kuti vaone kushama kwako kose.
  20917. Ezk 16:38 Zvino ndichakutonga semitongo yevanhukadzi vanofeva nevateuri veropa; uye ndichakupa ropa rekupfuta negodo.
  20918. Ezk 16:39 Zvino ndichakupa muruoko rwavo; uye vachaputsa mudunduru wako, nekukoromora nzvimbo dzako dzakakwirira; uye vachakukurura nguvo dzako, nekutora zvishongo zvako zvakanaka; uye vachakusiya wakashama usina kupfeka.
  20919. Ezk 16:40 Vachakukwidzirawo chaunga kukurwisa, uye vachakutaka nemabwe, nekukubvoora neminondo yavo.
  20920. Ezk 16:41 Zvino vachapisa dzimba dzako nemoto, nekuisa mitongo pamusoro pako pamberi pemeso evanhukadzi vazhinji, zvino ndichakuregesa ubve pakuva chifeve, uye hauchazopizve muripo wechifeve.
  20921. Ezk 16:42 Saizvozvo ndichazorodza kupfuta kwangu kwauri, uye godo rangu richabva kwauri, uye ndichanyarara ndikasazokutsamwirazve.
  20922. Ezk 16:43 Nekuda kwekuti hauna kurangarira mazuva eudiki hwako, asi wakanditsamwisa nezvose izvi, naizvozvowo, tarira, ini ndichauyisa nzira yako pamusoro pemusoro, anoreva Ishe Jehovha; uye haungazoiti zvakashata izvi pamusoro pezvinyangadzo zvako zvose.
  20923. Ezk 16:44 Tarira, umwe neumwe anoshandisa tsumo achashandisa tsumo pamusoro pako achiti: Samai, wakadaro mwanasikana wake.
  20924. Ezk 16:45 Iwe uri mwanasikana wamai vako, vakasema murume wavo nevana vavo; iwe uri vakoma vemadzikoma ako, vakasema varume vavo nevana vavo; mai vako vaiva muHiti, nababa vako muAmori.
  20925. Ezk 16:46 Uye vakoma vako ndiSamariya, iye nevakunda vake vanogara kuruoko rwako rweruboshwe, nemunin’ina wako mudiki kwauri anogara kuruoko rwako rwerudyi, ndiSodhoma nevakunda vake.
  20926. Ezk 16:47 Zvakadaro hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvichitevera zvinyangadzo zvavo; sechinhu chidiki chinosemesa, iwe wakaora kuvapfuura panzira dzako dzose.
  20927. Ezk 16:48 Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo Sodhoma munin’ina wako haana kuita, iye nevakunda vake, sezvawakaita, iwe nevakunda vako.
  20928. Ezk 16:49 Tarira, ichi chitadzo chemunin’ina wako Sodhoma: Kuzvikudza, kugutisa zvekudya, nekushaya hanya kwekunyarara, zvaiva maari nemuvakunda vake, asi haana kusimbisa ruoko rwemurombo neanoshaiwa.
  20929. Ezk 16:50 Zvino vaizvikudza, ndokuita chinyangadzo pamberi pangu; naizvozvo ndakavabvisa sekuona kwangu.
  20930. Ezk 16:51 Uye Samariya harina kutadza nehafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanza zvinyangadzo zvako kupfuura ivo, uye wakaruramisira vanin’ina vako muzvinyangadzo zvako zvose zvawakaita.
  20931. Ezk 16:52 Iwewo takura chinyadzo chako, iwe wakapembedza vanin’ina vako, nokuti zvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura ivo; vakarurama kukupfuura; hongu, iwe nyadziswawo, ugotakura chinyadzo chako, pakuti wakaruramisira vanin’ina vako.
  20932. Ezk 16:53 Pandichadzosa vatapwa vavo, vatapwa veSodhoma nevakunda varo, nevatapwa veSamariya nevakunda vayo, ipapo ndichadzosa vatapwa vevatapwa vako pakati pavo;
  20933. Ezk 16:54 kuti utakure chinyadzo chako, uye unyadziswe pane zvose zvawakaita, pakuvanyaradza kwako.
  20934. Ezk 16:55 Vanin’ina vako Sodhoma nevakunda vake pavachadzokera pachimiro chavo chekutanga, naSamariya nevakunda vake pavachadzokera pachimiro chavo chekutanga, ipapo iwe nevakunda vako muchadzokera kuchimiro chenyu chekutanga.
  20935. Ezk 16:56 Nokuti munin’ina wako Sodhoma haana kuva pamuromo pako kuva shoko pazuva rekuzvikudza kwako.
  20936. Ezk 16:57 Uipi hwako hwusati hwafukurwa, sepanguva yekushorwa kwevakunda veSiriya nevose vakavakomberedza, vakunda vevaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose.
  20937. Ezk 16:58 Iwe wakatakura mano ako akaipa nezvinyangadzo zvako, anoreva Jehovha.
  20938. Ezk 16:59 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichakuitirazve sekuita kwako, wakashoora mhiko pakuputsa sungano.
  20939. Ezk 16:60 Zvakadaro ndicharangarira sungano yangu newe pamazuva eudiki hwako, uye ndichasimbisa kwauri sungano yekusingaperi.
  20940. Ezk 16:61 Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyara, pauchagamuchira vanasikana vamai vako vakuru kwauri nevadiki kwauri; nokuti ndichakupa ivo kuva vakunda, asi kwete nesungano yako.
  20941. Ezk 16:62 Zvino ini ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ini ndiri Jehovha;
  20942. Ezk 16:63 kuti urangarire ugonyara, usazoshamisa muromo wakozve nekuda kwenyadzi dzako, kana ndakuitira chiyananiso pazvose zvawakaita, anoreva Ishe Jehovha.
  20943. Ezk 17:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20944. Ezk 17:2 Mwanakomana wemunhu, ita chirabwe, utaure nemufananidzo kuimba yaIsraeri;
  20945. Ezk 17:3 zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Gondo guru, rine mapapiro makuru, reminhenga mirefu, rizere mambava, ane mavara-mavara, rakauya kuRebhanoni ndokutora musoro wemusidhari.
  20946. Ezk 17:4 Rakaguririra musoro wematavi awo matsva, ndokuutakurira kunyika yekutengeserana, rakauisa muguta revatengesi.
  20947. Ezk 17:5 Rakatorawo pambeu yenyika, ndokuiisa mumunda wembeu, rakaiisa pamvura zhinji, kuiisa semikonachando.
  20948. Ezk 17:6 Zvino yakatunga ndokuva muzambiringa unotanda, mupfupi paurefu, matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo. Saizvozvo wakava muzambiringa, wakabudisa matavi ndokutunga utavi udiki.
  20949. Ezk 17:7 Kwaivawo nerimwe gondo guru, rine mapapiro makuru, nemambava mazhinji; zvino tarira, muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri, ndokutungirawo matavi awo kwariri, kuti uridiridze nemigero yenzvimbo yakadzvarwa.
  20950. Ezk 17:8 Wakasimwa pamunda wakanaka pamvura zhinji, kuti ubudise matavi, nekubereka chibereko, kuti uve muzambiringa wakanakisisa.
  20951. Ezk 17:9 Uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uchabudirira here? Haungadzuri midzi yawo here, nekugura chibereko chawo, usvave? Uchasvava pamashizha awo ose emabukira, uye kwete nesimba guru kana nevanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
  20952. Ezk 17:10 Hongu, tarira, wasimwa uchabudirira here? Hauchasvavi chose here mhepo yemabvazuva paichaubata? Uchasvava mumigero mawakamera.
  20953. Ezk 17:11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  20954. Ezk 17:12 Iti ikozvino kuimba inopanduka: Hamuzivi here kuti zvinhu izvi chii? Reva: Tarirai, mambo weBhabhironi wakasvika kuJerusarema, uye watora mambo waro nemachinda aro ndokuvauisa kwaari kuBhabhironi.
  20955. Ezk 17:13 Zvino wakatora pambeu yeumambo, ndokuita sungano naye, ndokumupinza pamhiko, uye wakatora vane simba venyika;
  20956. Ezk 17:14 kuti ushe huderere, kuti hurege kuzvikudza, kuti nekuchengetedza sungano yake humire.
  20957. Ezk 17:15 Asi wakamupandukira pakutumira nhume dzake kuEgipita, kuti vamupe mabhiza nevanhu vazhinji. Achabudirira here? Achapukunyuka here anoita zvakadaro? Kana achavhuna sungano achapukunyuka here?
  20958. Ezk 17:16 Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo panzvimbo yamambo wakamuita kuti ave mambo, mhiko yake yaakazvidza, uye sungano yake yaakavhuna, achafa pamwe naye mukati meBhabhironi.
  20959. Ezk 17:17 Uye Farao nehondo huru neboka rakawanda haangamubatsiri pahondo, nekututira murwi uye nekuvaka nhare, kugura vanhu vazhinji.
  20960. Ezk 17:18 Nokuti wakashoora mhiko, nekuputsa sungano; nokuti tarira, apa ruoko rwake, uye aita zvose izvi, haangapukunyuki.
  20961. Ezk 17:19 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Neupenyu hwangu, zvirokwazvo mhiko yangu yaakashoora, nesungano yangu yaakavhuna, iyo ndichaiunza pamusoro wake.
  20962. Ezk 17:20 Zvino ndichawaridza mumbure wangu pamusoro pake, uye achatorwa mumusungo wangu, zvino ndichamuuisa kuBhabhironi, uye ndichamutonga ipapo nekuda kwechitadzo chake chaakanditadzira.
  20963. Ezk 17:21 Nevanotiza vake vose nemapoka ake ose vachawa nemunondo; uye vanosara vachapararira kumhepo dzose; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndataura.
  20964. Ezk 17:22 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iniwo ndichatora pamusoro wemusidhari murefusa, ndigoumisa, ndichaguririra kubva pamusoro pematavi awo madiki, nyoro, zvino ini ndichasima pamusoro pegomo refu rakakwirira;
  20965. Ezk 17:23 pagomo renhongonya yaIsraeri ndichausima; uye uchabudisa matavi, ndokubereka chibereko, ndokuva musidhari wakanakisisa; uye pasi pawo pachagara shiri dzose dzebapiro rimwe nerimwe; mumumvuri wematavi awo dzichagara.
  20966. Ezk 17:24 Zvino miti yose yesango ichaziva kuti ini Jehovha ndakaderedza muti murefu, ndakasimudzira muti mupfupi, ndakaomesa muti munyoro, ndokuita muti wakaoma ubuke; ini Jehovha ndakataura, uye ndakaita.
  20967. Ezk 18:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  20968. Ezk 18:2 Munorevei, kuti mushandise tsumo iyi pamusoro penyika yaIsraeri, muchiti: Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino evana ndokuhwadzira?
  20969. Ezk 18:3 Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo hazvichavizve kwamuri kushandisa tsumo iyi kwaIsraeri.
  20970. Ezk 18:4 Tarirai, mweya yeupenyu yose ndeyangu; semweya weupenyu wababa, wakadarowo mweya weupenyu wemwanakomana ndewangu; mweya weupenyu unotadza, ndiwo uchafa.
  20971. Ezk 18:5 Asi kana munhu akarurama, uye achiita zviri pamurairo nezvakarurama,
  20972. Ezk 18:6 asina kudyira pamusoro pemakomo, uye asina kusimudzira meso ake kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri, uye asina kusvibisa mukadzi wewekwake, uye asina kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake;
  20973. Ezk 18:7 uye asina kumanikidza munhu, wakadzorera mukwereti chibatiso chake, asina kupamba nechisimba, wakapa chingwa chake kune ane nzara, uye wakafukidza wakashama nenguvo;
  20974. Ezk 18:8 asina kupa achida mubereko, uye asina kutora zvakawedzerwa, wakabvisa ruoko rwake pane zvakaipa, akaita mutongo wechokwadi pakati pemunhu nemunhu;
  20975. Ezk 18:9 wakafamba mumitemo yangu, uye wakachengeta mitongo yangu, kuita pachokwadi; iye wakarurama, achararama zvirokwazvo, anoreva Ishe Jehovha.
  20976. Ezk 18:10 Kana akabereka mwanakomana ari gororo, muteuri weropa, kana anoita chakafanana nechimwe cheizvi;
  20977. Ezk 18:11 uye iye asingaiti chinhu chimwe cheizvo, asi kunyange akadyira pamusoro pemakomo, uye akasvibisa mukadzi wewekwake,
  20978. Ezk 18:12 wakamanikidza murombo neanoshaiwa, wakapamba nechisimba kwazvo, haana kudzosera chibatiso, uye wakasimudzira meso ake kuzvifananidzo, akaita zvinyangadzo,
  20979. Ezk 18:13 wakapa achida mubereko, uye wakatora zvakawedzerwa; zvino achararama here? Haangararami; wakaita zvinyangadzo zvose izvi; achauraiwa zvirokwazvo; ropa rake richava pamusoro pake.
  20980. Ezk 18:14 Zvino tarira, wakabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake zvavakaita, akaona, akasaita zvakadaro;
  20981. Ezk 18:15 asina kudyira pamusoro pemakomo, uye asina kusimudzira meso ake kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri, asina kusvibisa mukadzi wewekwake,
  20982. Ezk 18:16 uye asina kumanikidza munhu, asina kuramba nechibatiso, uye asina kupamba nechisimba, wakapa chingwa chake kune ane nzara, uye wakafukidza wakashama nenguvo,
  20983. Ezk 18:17 wakabvisa ruoko rwake pamurombo, asina kugamuchira mubereko kana zvakawedzerwa, wakaita mitongo yangu, wakafamba mumitemo yangu; iye haangafi nekuda kwechakaipa chababa vake; achararama zvirokwazvo.
  20984. Ezk 18:18 Baba vake, nokuti vakamanikidza zvikuru, vakapamba nechisimba zvemwana wamai vavo, uye vakaita zvisina kunaka pakati pevanhu vavo; tarirai, vachafa nekuda kwezvakaipa zvavo.
  20985. Ezk 18:19 Asi munoti: Mwanakomana anoregerei kutakura chitadzo chababa? Kana mwanakomana aita zviri pamurairo uye zvakarurama, wakachengeta mitemo yangu yose nekuiita, achararama zvirokwazvo.
  20986. Ezk 18:20 Mweya weupenyu unotadza, ndiwo uchafa. Mwanakomana haangatakuri chitadzo chababa, uye baba havangatakuri chitadzo chemwanakomana; kururama kwewakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwewakaipa kuchava pamusoro pake.
  20987. Ezk 18:21 Asi kana wakaipa akatendeuka kubva pazvivi zvake zvose zvaakaita, nekuchengeta mitemo yangu yose, nekuita zviri pamurairo uye zvakarurama, achararama zvirokwazvo, haangafi.
  20988. Ezk 18:22 Zvitadzo zvake zvose zvaakaita hazvingarehwi kwaari; mukururama kwake kwaakaita achararama.
  20989. Ezk 18:23 Ndingafarira zvekufarira here rufu rwewakaipa? anoreva Ishe Jehovha; kwete kuti atendeuke panzira dzake agorarama here?
  20990. Ezk 18:24 Asi kana wakarurama akatendeuka kubva pakururama kwake, ndokuita chitadzo, akaita zvinoenderana nezvinyangadzo zvose wakaipa zvaanoita, angararama here? Kururama kwake kose kwaakaita hakungarehwi; muchitadzo chake chaakatadza, uye muchivi chake chaakaita, achafira mazviri.
  20991. Ezk 18:25 Zvakadaro munoti: Nzira yaIshe haina kuenzana. Inzwai ikozvino, imwi imba yaIsraeri, nzira yangu haina kuenzana here? Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kuenzana here?
  20992. Ezk 18:26 Wakarurama paanotendeuka kubva pakururama ndokuita zvitadzo ndokufira mazviri, nekuda kwezvitadzo zvaakaita, achafa.
  20993. Ezk 18:27 Uye kana wakaipa akatendeuka kubva pakuipa kwake kwaakaita, uye akaita zviri pamurairo nezvakarurama, iye achaponesa mweya weupenyu wake uri mupenyu.
  20994. Ezk 18:28 Zvaakaona, ndokutendeuka kubva pazvitadzo zvake zvose zvaakaita, achararama zvirokwazvo, haangafi.
  20995. Ezk 18:29 Zvakadaro imba yaIsraeri inoti: Nzira yaIshe haina kuenzana. Imba yaIsraeri, nzira dzangu hadzina kuenzana here? Hadzisi nzira dzenyu dzisina kuenzana here?
  20996. Ezk 18:30 Naizvozvo ndichakutongai, imba yaIsraeri, umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake, anoreva Ishe Jehovha. Dzokai, mutendeuke kubva pazvitadzo zvenyu zvose, kuti chakaipa chisava chigumbuso kwamuri.
  20997. Ezk 18:31 Rasai kure nemwi zvitadzo zvenyu zvose zvamakatadza, muzviitire moyo mutsva nemweya mutsva; nokuti muchafirei, imba yaIsraeri?
  20998. Ezk 18:32 Nokuti handifariri rufu rweunofa, anoreva Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
  20999. Ezk 19:1 Zvino iwe, simudzira mariro machinda aIsraeri;
  21000. Ezk 19:2 zvino uti: Mai vako chii? Shumbakadzi yakarara pakati pedzishumba; yakarera imbwanana dzayo pakati peshumba diki.
  21001. Ezk 19:3 Zvino yakarera imwe yeimbwanana dzayo; ikava shumba diki, ndokudzidza kubata chijimbiwa, ikadya vanhu.
  21002. Ezk 19:4 Marudzi akanzwawo nezvayo; yakabatwa mugomba rawo; iwo akaiunza iri mumaketani kunyika yeEgipita.
  21003. Ezk 19:5 Payakaona kuti yaiva yamirira, tariro yayo yakarasika, zvino yakatora imwe yeimbwanana dzayo, ikaiita shumba diki.
  21004. Ezk 19:6 Zvino yakafamba-famba pakati pedzishumba, yakava shumba diki, ndokudzidza kubata chijimbiwa, ikadya vanhu.
  21005. Ezk 19:7 Zvino yakaziva matongo avo, ndokuparadza maguta avo; nyika ndokuva dongo nekuzara kwayo neruzha rwekuomba kwayo.
  21006. Ezk 19:8 Ipapo marudzi akamira kurwisana nayo kumativi ose ematunhu, ndokutandira mumbure wavo pamusoro payo; yakabatwa mugomba ravo.
  21007. Ezk 19:9 Zvino vakaiisa muchirugu nemaketani, ndokuiunza kuna mambo weBhabhironi; vakaiunza mudzinhare, kuti inzwi rayo risachinzwikwazve pamusoro pemakomo ekwaIsraeri.
  21008. Ezk 19:10 Mai vako vakaita semuzambiringa muropa rako, wakasimwa pamvura; wakava nezvibereko ukazara nematavi nekuda kwemvura zhinji.
  21009. Ezk 19:11 Wakava nematanda akasimba ekuva tsvimbo dzevanotonga; uye urefu hwawo hwaiva hwakakwirira pakati pematavi makobvu; uchionekera neurefu hwawo nekuwanda kwematavi awo.
  21010. Ezk 19:12 Asi wakadzurwa mukutsamwa, wakakandwa pasi; nemhepo yekumabvazuva yakaomesa chibereko chawo; matanda awo akasimba akavhuniwa akasvava; moto ukaapedza.
  21011. Ezk 19:13 Ikozvinowo wakasimwa murenje, muvhu rakaoma uye rine nyota.
  21012. Ezk 19:14 Zvino moto wabuda padanda rematavi awo, ukapedza michero yawo, zvekuti wakasava nedanda rakasimba, mudonzvo wekutonga. Awa mariro, uye achava mariro.
  21013. Ezk 20:1 Zvino zvakaitika mugore rechinomwe, mune wechinomwe, neregumi remwedzi, kwakauya vamwe vevakuru vaIsraeri kuzobvunza Jehovha, ndokugara pamberi pangu.
  21014. Ezk 20:2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21015. Ezk 20:3 Mwanakomana wemunhu, taura kuvakuru vaIsraeri, ugoti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Mauya kuzobvunza kwandiri here? Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo handingabvunzwi nemwi.
  21016. Ezk 20:4 Uchavatonga here, mwanakomana wemunhu, uchatonga here? Vazivise zvinyangadzo zvemadzibaba avo.
  21017. Ezk 20:5 Ugoti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, nekusimudzira ruoko rwangu kumbeu yeimba yaJakove, nekuzvizivisa kwavari munyika yeEgipita, pandakasimudzira ruoko rwangu kwavari ndichiti: Ndiri Jehovha Mwari wenyu.
  21018. Ezk 20:6 Pazuva iro ndakasimudzira ruoko rwangu kwavari, kuvabudisa kubva munyika yeEgipita, ndivaise kunyika yandakavashorera, inoyerera mukaka neuchi, inova kubwinya kwenyika dzose.
  21019. Ezk 20:7 Zvino ndakati kwavari: Rasai umwe neumwe zvinyangadzo zvemeso ake, uye musazvisvibisa nezvifananidzo zveEgipita. Ndiri Jehovha Mwari wenyu.
  21020. Ezk 20:8 Asi vakandipandukira, ndokusada kuteerera kwandiri; havana umwe neumwe kurasa zvinyangadzo zvemeso avo, uye havana kusiya zvifananidzo zveEgipita. Ipapo ndakati: Ndichadurura kupfuta kwangu pamusoro pavo kupedzisa kuvatsamwira kwangu pakati penyika yeEgipita.
  21021. Ezk 20:9 Asi ndakaita nekuda kwezita rangu, kuti rirege kusvibiswa pameso emarudzi avaiva pakati pawo, andakazvizivisa kwaari pameso awo, pakuvabudisa kubva munyika yeEgipita.
  21022. Ezk 20:10 Naizvozvo ndakavabudisisa kubva munyika yeEgipita, ndokuvaunza murenje.
  21023. Ezk 20:11 Zvino ndakavapa mitemo yangu, nekuvazivisa mitongo yangu, izvo munhu akazviita achararama mazviri.
  21024. Ezk 20:12 Uye ndakavapawo masabata angu, kuva chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndiri Jehovha anovaita vatsvene.
  21025. Ezk 20:13 Asi imba yaIsraeri yakandipandukira murenje; havana kufamba mumitemo yangu, uye vakazvidza mitongo yangu, iyo munhu akaiita, achararama mairi; uye vakasvibisa masabata angu zvikuru, ipapo ndakati: Ndichadururira kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
  21026. Ezk 20:14 Asi ndakaita nekuda kwezita rangu, kuti risasvibiswa pameso pemarudzi andakavabudisa pameso pawo.
  21027. Ezk 20:15 Uyewo ini ndakasimudzira ruoko rwangu kwavari murenje, kuti handingavauisi kunyika yandaiva ndapa, inoyerera mukaka neuchi, inova kubwinya kwenyika dzose;
  21028. Ezk 20:16 nokuti vakazvidza mitongo yangu, uye havana kufamba mumitemo yangu, asi vakasvibisa masabata angu, nokuti moyo wavo wakatevera zvifananidzo zvavo.
  21029. Ezk 20:17 Zvakadaro ziso rangu rakavarega kubva pakuvaparadza uye handina kuvapedza murenje.
  21030. Ezk 20:18 Asi ndakati kuvana vavo murenje: Musafamba mumitemo yemadzibaba enyu, uye musachengeta mitongo yavo, uye musazvisvibisa nezvifananidzo zvavo.
  21031. Ezk 20:19 Ndiri Jehovha Mwari wenyu; fambai mumitemo yangu, uye chengetai mitongo yangu, muzviite.
  21032. Ezk 20:20 Zvino muite masabata angu matsvene; zvino achava chiratidzo pakati pangu nemwi, kuti muzive kuti ndiri Jehovha Mwari wenyu.
  21033. Ezk 20:21 Asi vana vakandipandukira; havana kufamba mumitemo yangu, uye havana kuchengeta mitongo yangu, kuti vazviite; zvinoti munhu akazviita achararama mazviri; vakasvibisa masabata angu; ipapo ndakati: Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kupedzisa kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
  21034. Ezk 20:22 Zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nekuda kwezita rangu, kuti rirege kusvibiswa pamberi pemeso emarudzi, pandakavabudisa pamberi pemeso awo.
  21035. Ezk 20:23 Ini ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndivakushire pakati pemarudzi, nekuvaparadzira munyika zhinji;
  21036. Ezk 20:24 nokuti havana kuita mitongo yangu, asi vakazvidza mitemo yangu, uye vakasvibisa masabata angu, nemeso avo aiva shure kuzvifananidzo zvemadzibaba avo.
  21037. Ezk 20:25 Ini ndakavapawo mitemo yaiva isina kunaka, nemitongo yavaiva vasingararami nayo.
  21038. Ezk 20:26 Zvino ndakavasvibisa muzvipo zvavo, pakuti vakapfuudza nemumoto chose chakazarura chizvaro, kuti ndivaite dongo, kuitira kuti vazive kuti ndiri Jehovha.
  21039. Ezk 20:27 Naizvozvo, mwanakomana wemunhu, taura kuimba yaIsraeri, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Madzibaba enyu akandinyombazve pachinhu ichi, kuti vakanditadzira chitadzo.
  21040. Ezk 20:28 Pandakavaunza munyika, yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kwavari, ipapo vakaona chikomo chimwe nechimwe chakakwirira, nemiti yose mikobvu, ndokupa ipapo zvibairo zvavo, uye ipapo vakapa kutsamwisa kwechipo chavo, vakaitapowo hwema hwavo hunonhuhwira, ndokudururapo zvipo zvavo zvechinwiwa.
  21041. Ezk 20:29 Zvino ndakati kwavari: Nzvimbo yakakwirira chii yamunoenda kwairi? Uye zita rayo rinonzi Nzvimbo Yakakwirira kusvika zuva rino.
  21042. Ezk 20:30 Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Muchasvibiswa netsika yemadzibaba enyu here? Uye muchaita ufeve kutevera zvinyangadzo zvavo here?
  21043. Ezk 20:31 Nokuti pamunopa zvipo zvenyu, pamunopfuudza vanakomana venyu nemumoto, munosvibiswa nezvifananidzo zvenyu zvose, kusvika pazuva rino; zvino ini ndichabvunzwa nemwi here, imwi imba yaIsraeri? Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, handingabvunzwi nemwi.
  21044. Ezk 20:32 Neizvo zvinopinda mupfungwa yenyu hazvingatongovipo, zvamunoti: Tichava sevechirudzi, semhuri dzenyika zhinji, kushumira danda neibwe.
  21045. Ezk 20:33 Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo nechanza chine simba uye neruoko rwakatandavadzwa uye nehasha dzakadururwa ndichatonga pamusoro penyu.
  21046. Ezk 20:34 Zvino ndichakubudisai kubva muvanhu, uye ndichakuunganidzai kubuda munyika zhinji mamakaparadzirwa, nechanza chine simba uye neruoko rwakatandavadzwa uye nehasha dzakadururwa.
  21047. Ezk 20:35 Zvino ndichakuunzai murenje revanhu, uye ndichakutongai ipapo chiso nechiso.
  21048. Ezk 20:36 Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeEgipita, saizvozvo ndichakutongai, anoreva Ishe Jehovha.
  21049. Ezk 20:37 Zvino ndichakupfuudzai nepasi petsvimbo, uye ndichakuunzai muchisungo chesungano.
  21050. Ezk 20:38 Zvino ndichanatsa ndibvise pakati penyu vapanduki, nevanonditadzira. Ndichavabudisa kubva munyika mavagere sevatorwa, uye havangapindi munyika yaIsraeri; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21051. Ezk 20:39 Kana muri imwi, imba yaIsraeri, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Endai, munoshumira umwe neumwe zvifananidzo zvake, uye shure kweizvozvi, kana musingateereri kwandiri; asi musingachasvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.
  21052. Ezk 20:40 Nokuti mugomo rangu dzvene, mugomo rakakwirira raIsraeri, anoreva Ishe Jehovha, ipapo imba yose yaIsraeri, vose vari munyika, vachandishumira; ipapo ndichavagamuchira, uye ipapo ndichadana zvipo zvenyu, nezvibereko zvekutanga zvezvinopiwa zvenyu, pamwe nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.
  21053. Ezk 20:41 Ndichakugamuchirai nehwema hunonhuhwira kana ndichikubudisai kubva muvanhu nekukuunganidzai kubva kunyika kwamakaparadzirwa kwadziri, zvino ndichaitwa mutsvene mamuri pamberi pemeso emarudzi.
  21054. Ezk 20:42 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, pandichakuunzai munyika yaIsraeri, munyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kumadzibaba enyu.
  21055. Ezk 20:43 Zvino ipapo mucharangarira nzira dzenyu, nezviito zvenyu zvose, mamakasvibiswa mazviri, zvino muchazvisema pamberi pechiso chenyu pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.
  21056. Ezk 20:44 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndaita kwamuri izvi nekuda kwezita rangu, kwete zvichienderana nenzira dzenyu dzakaipa kana kuenderana nezviito zvenyu zvakaora, imwi imba yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.
  21057. Ezk 20:45 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21058. Ezk 20:46 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kurutivi rwechamhembe, udonhedze shoko kuchamhembe, ugoporofita pamusoro pesango remunda wekuchamhembe.
  21059. Ezk 20:47 Uye uti kusango rekuchamhembe: Inzwa shoko raJehovha: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uye iwo uchapedza muti umwe neumwe mutema mukati mako, nemuti umwe neumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, uye zviso zvose kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba zvichapiswa mauri.
  21060. Ezk 20:48 Zvino nyama yose ichaona kuti ini Jehovha ndaubatidza; haungadzimwi.
  21061. Ezk 20:49 Ipapo ndakati: Aiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu: Haasi mutauri wemifananidzo here?
  21062. Ezk 21:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21063. Ezk 21:2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuJerusarema, udonhedze shoko nechekudzinzvimbo tsvene, uporofite uchipokana nenyika yaIsraeri;
  21064. Ezk 21:3 zvino uti kunyika yaIsraeri: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, uye ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara mawo, uye ndichagura kubva kwauri wakarurama newakaipa.
  21065. Ezk 21:4 Zvandichagura kubva kwauri wakarurama newakaipa, naizvozvo munondo wangu uchabuda kubva mumuhara mawo kurwisana nenyama yose kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba.
  21066. Ezk 21:5 Kuti nyama yose izive kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara mawo; haungadzokerizve.
  21067. Ezk 21:6 Naizvozvo, iwe mwanakomana wemunhu, gomera nekupwanyika kwechiuno uye nekurwadza, gomera pamberi pemeso avo.
  21068. Ezk 21:7 Zvino zvichaitika pavachati kwauri: Unogomererei? kuti uchati: Nekuda kweshoko, nokuti rinouya; zvino moyo umwe neumwe uchanyauka, nemaoko ose achashaiwa simba, nemweya wose uchaziya, uye mabvi ose achayerera semvura; tarirai, rinouya, uye richaitika, anoreva Ishe Jehovha.
  21069. Ezk 21:8 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21070. Ezk 21:9 Mwanakomana wemunhu, porofita, zvino uti: Anoreva seizvi Ishe: Uti: Munondo, munondo warodzwa, uyewo wabwinyiswa.
  21071. Ezk 21:10 Warodzwa kuti uuraye zvekuuraya; wabwinyisirwa kuti uve nekupenya. Tichafara here? Tsvimbo yemwanakomana wangu inozvidza muti umwe neumwe.
  21072. Ezk 21:11 Zvino wakapa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe neruoko; munondo uyu warodzwa, uye wabwinyiswa, kuupa muruoko rwemuurayi.
  21073. Ezk 21:12 Chema, uungudze, mwanakomana wemunhu, nokuti uchava pamusoro pevanhu vangu, uchava pamusoro pemachinda ose aIsraeri; vachakandwa pamusoro pemunondo pamwe nevanhu vangu; naizvozvo rova pachidya.
  21074. Ezk 21:13 Nokuti kuidzwa; zvino zvichava sei kana tsvimbo ichizvidzawo? Hazvingavipo, anoreva Ishe Jehovha.
  21075. Ezk 21:14 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, porofita, urove ruoko paruoko; zvino munondo ngaupamhidzirwe kechitatu, munondo wevakaurawa, munondo wevakuru vakaurawa, uchavapoteredza.
  21076. Ezk 21:15 Ndakamisa kwakapinza kwemunondo pamisuwo yavo yose, kuti moyo unyunguduke nezvigumbuso zviwande. Haiwa! Wakaitwa kuti upenyese, wakarodzwa kuti uuraye.
  21077. Ezk 21:16 Zviunganidzei, muende kurudyi, zvimisei, muende kuruboshwe, kwakamiswa chiso chako.
  21078. Ezk 21:17 Neniwo ndicharova ruoko rwangu paruoko rwangu, uye ndichazorodza hasha dzangu. Ini Jehovha ndataura.
  21079. Ezk 21:18 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21080. Ezk 21:19 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvimisire nzira mbiri, kuti munondo wamambo weBhabhironi usvike; dziri mbiri dzichabuda munyika imwe; uye sarudza nzvimbo, sarudza pamusoro wenzira yeguta.
  21081. Ezk 21:20 Misa nzira kuti munondo uuye kuRabha revaAmoni, nekuna Judha muJerusarema rakashoshewa.
  21082. Ezk 21:21 Nokuti mambo weBhabhironi wakamira pamharadzano dzenzira, pamusoro wenzira mbiri, kuti auke kuuka, achukuche miseve, abvunze zvifananidzo, ndokutarisa pachiropa.
  21083. Ezk 21:22 Muruoko rwake rwerudyi maiva nekuuka pamusoro peJerusarema, kumisa makondohwe ekuputsanya, kuzarura muromo pakuuraya, kusimudzira inzwi pakudanidzira, kumisa makondohwe ekuputsanya kurwisa masuwo, kututira murwi, kuvaka nhare.
  21084. Ezk 21:23 Asi zvichava kwavari sekuuka kwenhema pamberi pemeso avo, ivo vakavapikira dzimhiko; asi iye acharangarira kusarurama, kuti vabatwe.
  21085. Ezk 21:24 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu kwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa muzviito zvenyu zvose, zvamakarangarirwa, muchabatwa neruoko.
  21086. Ezk 21:25 Zvino iwe, muchinda waIsraeri wakasviba wakaipa, wezuva rake rasvika, panguva yechitadzo chekupedzisira,
  21087. Ezk 21:26 anoreva seizvi Ishe Jehovha: Bvisa nguwani yeupristi, uye kurura korona; izvi hazvingavi zvakangodaro; kwiridzira wepasi, uye deredza wakakwirira.
  21088. Ezk 21:27 Ndichazviita matongo, matongo, matongo; izvi hazvichazovipo, kusvika asvika iye ane mutongo, wandakapa izvo.
  21089. Ezk 21:28 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, porofita uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha pamusoro pevaAmoni uye pamusoro peshooro yavo; zvino iwe uti: Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyiswa kuuraya, kuti upedze, kuti upenye.
  21090. Ezk 21:29 Vachiri kukuonera zvisina maturo, vachiri kukuukira nhema, kukuuisa pamitsipa yevanouraya vevakaipa, vezuva ravo rasvika, panguva yechitadzo chekupedzisira.
  21091. Ezk 21:30 Dzosera mumuhara wawo. Ndichakutonga panzvimbo yawakazvarirwa, panyika yechizvarigo chako.
  21092. Ezk 21:31 Zvino ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichafuridzira kurwisana newe mumoto wehasha dzangu; uye ndichakukumikidza muruoko rwevanhu vane upengo, nyanzwi pakuparadza.
  21093. Ezk 21:32 Iwe uchava kudya kwemoto, ropa rako richava pakati penyika, hauchazorangarirwi; nokuti ini Jehovha ndataura.
  21094. Ezk 22:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21095. Ezk 22:2 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, uchatonga here, utonge guta reropa zhinji? Zvirokwazvo ucharizivisa zvinyangadzo zvaro zvose.
  21096. Ezk 22:3 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti rizvisvibise!
  21097. Ezk 22:4 Iwe wava nemhosva muropa rako rawateura, uye wazvisvibisa muzvifananidzo zvako zvawakaita; uye waswededzesa mazuva ako, uye wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakuita chishoorwa kumarudzi, nechiseko kunyika dzose.
  21098. Ezk 22:5 Vari pedo nevari kure newe vachakuseka, iwe une zita rakasviba, uzere nebope.
  21099. Ezk 22:6 Tarira machinda aIsraeri aiva mukati mako, umwe neumwe nechanza chake, kuteura ropa.
  21100. Ezk 22:7 Vakazvidza baba namai mauri; vakabata nekumanikidza mweni mukati mako; vakamanikidza nherera nechirikadzi mauri.
  21101. Ezk 22:8 Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, uye wakasvibisa masabata angu.
  21102. Ezk 22:9 Mauri mune vanhu vanotakura makuhwa kuteura ropa, uye mauri vanodya pamusoro pemakomo, vakaita chinyangadzo mukati mako.
  21103. Ezk 22:10 Vakafukura kushama kwemadzibaba avo mauri; vakaninipisa mauri mukadzi waiva akasvibiswa nekuva kumwedzi.
  21104. Ezk 22:11 Zvino umwe wakaita chinyangadzo nemukadzi wewekwake; uye umwe wakasvibisa muroora wake nekuipa; uye umwe wakaninipisa hanzvadzi yake mauri, mukunda wababa vake.
  21105. Ezk 22:12 Vakagamuchira chipo mauri kuti vateure ropa; iwe wakatora mubereko nezvakapamhidzirwa, uye wakazvifumisa nekumanikidza wekwako; uye wakandikanganwa, anoreva Ishe Jehovha.
  21106. Ezk 22:13 Naizvozvo, tarira, ndakarova ruoko rwangu pamusoro pefuma yako yakaipa yawakaita, nepamusoro peropa rako raiva mukati mako.
  21107. Ezk 22:14 Moyo wako ungamira here, kana maoko ako asimbe, pamazuva andichabata newe? Ini Jehovha ndakataura, zvino ndichaita.
  21108. Ezk 22:15 Zvino ndichakukusha pakati pemarudzi, nekukuparadzira mudzinyika, uye ndichapedza tsvina yako kubva kwauri.
  21109. Ezk 22:16 Zvino uchasvibiswa mukati mako pameso emarudzi; zvino uchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21110. Ezk 22:17 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21111. Ezk 22:18 Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri yava marara kwandiri; vose vava ndarira netini nedare nemutobvu mukati mevira; vava marara esirivha.
  21112. Ezk 22:19 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti mose mava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusarema.
  21113. Ezk 22:20 Sezvavanounganidza sirivha nendarira nedare nemutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo kunyausa, saizvozvo ndichakuunganidzai mukutsamwa kwangu nemuhasha dzangu, ndigosiya nekunyausa.
  21114. Ezk 22:21 Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai nekukupfutidzai mumoto wehasha dzangu; zvino muchanyauswa mukati mawo.
  21115. Ezk 22:22 Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imwi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.
  21116. Ezk 22:23 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21117. Ezk 22:24 Mwanakomana wemunhu, uti kwairi: Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunaiwa pazuva reshungu.
  21118. Ezk 22:25 Rangano yevaporofita vayo mukati mayo yakaita seshumba inoomba ichibvambura chijimbiwa; vakadya mweya yeupenyu, ndokutora fuma nezvinokosha; vakawanza chirikadzi dzayo mukati mayo.
  21119. Ezk 22:26 Vapristi vayo vakabata murairo wangu nechisimba, uye vakasvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havana kuisa mutsauko pazvitsvene nezvakasviba, uye havana kuratidza mutsauko pazvisina kuchena nezvakachena; uye vakavanza meso avo pamasabata angu; naizvozvo ndakasvibiswa pakati pavo.
  21120. Ezk 22:27 Machinda ayo mukati mayo vakaita semapere anobvambura zvakajimbiwa, kuti vateure ropa, kuti vaparadze mweya yeupenyu, kuti vawane pundutso isakavimbika.
  21121. Ezk 22:28 Nevaporofita vayo vakavavuwa nemazivhu, vachiona zvisina maturo, uye vachivaukira nhema, vachiti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha; izvo Jehovha haana kutaura.
  21122. Ezk 22:29 Vanhu venyika vakamanikidza manikidzo, nekupamba zvakapambiwa; uye vakamanikidza murombo neanoshaiwa, uye vakamanikidza mutorwa pasina mutongo.
  21123. Ezk 22:30 Zvino ndakatsvaka munhu pakati pavo angagadzira ruzhowa, ndokumira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana umwe.
  21124. Ezk 22:31 Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nemoto wehasha dzangu; ndakapa nzira yavo pamusoro pemusoro wavo, anoreva Ishe Jehovha.
  21125. Ezk 23:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21126. Ezk 23:2 Mwanakomana wemunhu, kwaiva nevakadzi vaviri, vakunda vamai vamwe chete.
  21127. Ezk 23:3 Zvino vakaita ufeve muEgipita; vakaita ufeve paudiki hwavo; ipapo mazamu avo akanyangatwa, uye ipapo minyatso yeumhandara hwavo ikabatwa-batwa.
  21128. Ezk 23:4 Zvino mazita avo aiva: Ohora mukuru, naOhoribha munin’ina wake. Zvino vaiva vangu ndokubereka vanakomana nevanasikana. Saizvozvo mazita avo: Samariya ndiOhora, uye Jerusarema ndiOhoribha.
  21129. Ezk 23:5 Zvino Ohora wakaita ufeve ari pasi pangu, akadanana nevadikanwi vake, ivo vaAsiriya vaiva pedo;
  21130. Ezk 23:6 vaipfeka zveruvara rwehute, machinda nevatungamiriri, vose vari majaya anodikanwa, vatatsvi vemabhiza, vaitatsva mabhiza.
  21131. Ezk 23:7 Iye wakapa hufeve hwake kwavari, vose vakasarudzwa vevanakomana vaAsiriya, nekune vose vaaichiva, akazvisvibisa nezvifananidzo zvavo zvose.
  21132. Ezk 23:8 Uye haana kurega ufeve hwake kubva kuEgipita; nokuti paudiki hwake vakarara naye; uye ivo vakanyangata mazamu eumhandara hwake, ndokudurura ufeve hwavo pamusoro pake.
  21133. Ezk 23:9 Naizvozvo ndakamuisa muruoko rwevadikanwi vake, muruoko rwevaAsiriya vaakachiva.
  21134. Ezk 23:10 Ivo vakafukura kushama kwake; vakatora vanakomana vake nevanasikana vake; ndokumuuraya nemunondo; zvino akava zita pakati pevakadzi; nokuti vakaita mitongo pamusoro pake.
  21135. Ezk 23:11 Munin’ina wake Ohoribha paakazviona, wakanyanya kuipa pakuchiva kwake kumupfuura, nepaufeve uzhinji hwake kupfuura ufeve uzhinji hwemukoma wake.
  21136. Ezk 23:12 Wakachiva vana vaAsiriya, vabati nevatongi vaiva pedo, vaipfeka zvakaisvonaka, vatasvi vemabhiza, vaitasva mabhiza, vose vari majaya anodikanwa.
  21137. Ezk 23:13 Zvino ndakaona kuti waiva asvibiswa; vari vaviri vaiva nenzira imwe chete.
  21138. Ezk 23:14 Zvino wakawedzera ufeve uzhinji hwake; paaiona varume vakavezwa pamadziro, zvifananidzo zvevaKaradhiya, zvakavezwa nezvitsvuku,
  21139. Ezk 23:15 vakasunga bhandi pazviuno zvavo, vane nguwani dzakaremberera pamisoro yavo, vose vachionekwa vari machinda, mufananidzo wevana veBhabhironi, veKaradhiya, nyika yechizvarigo chavo.
  21140. Ezk 23:16 Zvino pakuvaona kwemeso ake wakavachiva ndokutuma nhume kwavari kuKaradhiya.
  21141. Ezk 23:17 VaBhabhironi ndokusvika kwaari pamubhedha werudo rukuru, ndokumusvibisa neufeve hwavo, iye ndokusvibiswa navo; ipapo mweya wake wakarambana navo.
  21142. Ezk 23:18 Zvino wakafukura ufeve hwake, ndokufukura kushama kwake; ipapo mweya wangu wakarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nemukoma wake.
  21143. Ezk 23:19 Zvakadaro wakapamhidzira ufeve uzhinji hwake, pakurangarira mazuva eudiki hwake, paakaita upombwe panyika yeEgipita.
  21144. Ezk 23:20 Zvino wakachiva vadikanwi vavo, venyama yavo iri nyama yembongoro, uye vemvura dzavo dzakaita semvura dzemabhiza.
  21145. Ezk 23:21 Saizvozvo iwe wakarangarira uipi hweudiki hwako, pakubatwa-batwa kweminyatso yako nevaEgipita, nekuda kwemazamu eumhandara hwako.
  21146. Ezk 23:22 Naizvozvo, Ohoribha, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, mweya wako wawakarambana navo, uye ndichavaunza kukurwisa pamativi ose.
  21147. Ezk 23:23 Vana veBhabhironi, nevaKaradhiya vose, Pekodhi, naShoa, naKoa, vana vaAsiriya vose vanavo, majaya anodikanwa, vose vari vabati nevatongi, machinda nevane mbiri, vose vakatasva mabhiza.
  21148. Ezk 23:24 Zvino vachauya kukurwisa nezvombo, ngoro, nemavhiri, uye neungano yevanhu, nhovo huru, nenhovo diki, nenguwani; vachakumisira kumativi ose; zvino ndichaisa mutongo pamberi pavo; uye vachakutonga zvichienderana nemitongo yavo.
  21149. Ezk 23:25 Zvino ndichakuisira godo rangu; uye vachakubata nehasha; vachabvisa mhino yako nenzeve dzako; uye vakasara vako vachawa nemunondo; ivo vachatora vanakomana vako nevanasikana vako; uye vakasara vako vachapedzwa nemoto.
  21150. Ezk 23:26 Vachakukururawo zvipfeko zvako, ndokutora zvinhu zvako zvakanaka.
  21151. Ezk 23:27 Saizvozvo ndichapedza uipi hwako kubva kwauri, neufeve hwako kubva panyika yeEgipita, kuti usasimudzira meso ako kwavari, uye usarangarirazve Egipita.
  21152. Ezk 23:28 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichakukumikidza muruoko rwewaunovenga, muruoko rweavo mweya wako wawakarambaniswa navo.
  21153. Ezk 23:29 Zvino vachakubata neruvengo, uye vachatora zvose zvawakabatira, ndokukusiya wakashama uye usina kupfeka; zvino kushama kweufeve hwako kuchafukurwa, neuipi hwako nehufeve hwako.
  21154. Ezk 23:30 Zvinhu izvi zvichaitwa kwauri, nokuti wakatevera marudzi paufeve, nokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvawo.
  21155. Ezk 23:31 Wakafamba munzira yemukoma wako; naizvozvo ndichapa mukombe wake muruoko rwako.
  21156. Ezk 23:32 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uchanwa mukombe wemukoma wako wakadzika newakapamhamha; uchava chiseko nechisveveredzwa; wakatakura zvizhinji.
  21157. Ezk 23:33 Uchazara nekudhakwa nekusuruvara, mukombe wekushamisa nekuparadza, mukombe wemukoma wako Samariya.
  21158. Ezk 23:34 Hongu, uchaunwa, nekuukutukudza, uye uchaputsanya zvaenga zvawo, nekudzura mazamu ako; nokuti ini ndataura, anoreva Ishe Jehovha.
  21159. Ezk 23:35 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti wakandikanganwa, ukandirasira shure kwemusana wako, naizvozvo newe takura uipi hwako neufeve uzhinji hwako.
  21160. Ezk 23:36 Jehovha akatiwo kwandiri: Mwanakomana wemunhu, uchatonga Ohora naOhoribha here? Hongu, vazivise zvinyangadzo zvavo.
  21161. Ezk 23:37 Nokuti wakafeva, uye ropa riri pamaoko avo; uye wakafeva nezvifananidzo zvavo; uye vakapfuudzawo vanakomana vavo vavakandiberekera nemumoto vave zvekudya zvazvo.
  21162. Ezk 23:38 Vakandiitirawo ichi: Vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, uye vakasvibisa masabata angu.
  21163. Ezk 23:39 Nokuti vakati vaurayira zvifananidzo zvavo vana vavo, ndokupinda munzvimbo yangu tsvene nezuva iroro kuisvibisa; zvino tarira, vakaita saizvozvo mukati meimba yangu.
  21164. Ezk 23:40 Pane izviwo kuti makatuma kuvarume vanobva kure, kwakatumwa kwavari nhume, zvino tarira, vakasvika, wakazvishambidzira ivo, wakazodza meso ako, nekuzvishongedza nezvishongo.
  21165. Ezk 23:41 Zvino wakagara pamubhedha unobwinya, netafura yakagadzirwa pamberi pawo, pawakaisa pamusoro payo zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvangu nemafuta angu.
  21166. Ezk 23:42 Neinzwi rechaunga chakagarika rinaye, uye nekuvarume vakabva kuvanhu vazhinji kwakauiswa VaSebhiya kubva murenje, vaiva vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona yakanaka pamisoro yavo.
  21167. Ezk 23:43 Ipapo ndakati kune wakakwegurira muufeve uzhinji: Zvino uchaita ufeve uzhinji naye here, iyevo navo?
  21168. Ezk 23:44 Zvakadaro vakapinda kwaari sezvavanopinda kumukadzi chifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora nekuna Ohoribha, vakadzi veuipi.
  21169. Ezk 23:45 Asi varume vakarurama, ivo vachavatonga nenzira yechifevekadzi, uye senzira yevakadzi vanoteura ropa, nokuti zvifevekadzi, uye ropa riri pamaoko avo.
  21170. Ezk 23:46 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichavauisira chaunga, uye ndichavapa vave chityiso uye chakapambiwa.
  21171. Ezk 23:47 Zvino chaunga chichavataka nemabwe, nekuvagura neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo nevanasikana vavo, nekupisa dzimba dzavo nemoto.
  21172. Ezk 23:48 Saizvozvo ndichagumisa uipi panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe, kuti varege kuita maererano neuipi hwenyu.
  21173. Ezk 23:49 Zvino vachapa uipi hwenyu pamusoro penyu; uye muchatakura zvivi zvezvifananidzo zvenyu; zvino muchaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.
  21174. Ezk 24:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, mugore repfumbamwe, nemwedzi wegumi, neregumi remwedzi, richiti:
  21175. Ezk 24:2 Mwanakomana wemunhu, zvinyorere zita rezuva, zvezuva rino iri. Mambo weBhabhironi wakazvimisa kurwisa Jerusarema nezuva rino iri.
  21176. Ezk 24:3 Zvino reva mufananidzo kuimba inopanduka, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Isa gate, riise, uyewo dira mvura mariri.
  21177. Ezk 24:4 Unganidzira mariri nhindi dzaro, nhindi imwe neimwe yakanaka, chidya nebandauko; zadza nemafuta akasarudzwa.
  21178. Ezk 24:5 Tora rakasarudzwa paboka remakwai, uyewo svinga remapfupa pasi paro, rivhaidze kwazvo; kubikwewo mapfupa aro mukati maro.
  21179. Ezk 24:6 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kuguta reropa zhinji, gate furo raro riri mariri, uye risina kubudamo furo raro! Budisa nhindi imwe neimwe; hapana mujenya unokandwa pamusoro paro.
  21180. Ezk 24:7 Nokuti ropa raro riri mukati maro; wakariisa paruware rwusina chinhu; haana kuridururira pasi, kurifukidza neguruva.
  21181. Ezk 24:8 Kuti rimutse hasha kuti ritsive tsvivo, ndakaisa ropa rake paruware rwusina chinhu, kuti risafukidzwa.
  21182. Ezk 24:9 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kuguta reropa zhinji! Neni ndichakurisa svinga.
  21183. Ezk 24:10 Wanza huni, pfutidza moto, pedza nyama, uye irunge kwazvo, nemapfupa ngaatsve.
  21184. Ezk 24:11 Zvino uriise risina chinhu pamusoro pemazimbe aro, kuti ndarira yaro ipise uye itsve, neutsvina hwaro hunyunguduke mariri, furo raro ripere.
  21185. Ezk 24:12 Rakandinetesa nekushingaira; nefuro raro zhinji harina kubuda mariri; furo raro riri mumoto!
  21186. Ezk 24:13 Mune uipi mutsvina yako. Nokuti ndakakunatsa, asi hauna kunatswa, haunganatswizve kubva muutsvina hwako, kusvika ndazorodzesa hasha dzangu pamusoro pako.
  21187. Ezk 24:14 Ini Jehovha ndakataura; zvichasvika, uye ndichazviita, handingadzokeri shure, uye handingasii, uye handingazvidembi; zvichienderana nenzira dzako uye zvichienderana nezviito zvako vachakutonga, anoreva Ishe Jehovha.
  21188. Ezk 24:15 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21189. Ezk 24:16 Mwanakomana wemunhu, tarira, ndinobvisa kwauri chishuwo chemeso angu neshamhu; zvakadaro haungachemi uye haungaungudzi, nemisodzi yako haingabudi.
  21190. Ezk 24:17 Gomera, unyarare, usaitira mariro vakafa, sunga nguwani pamusoro pako, uye uise shangu dzako patsoka dzako, uye usapfumbira miromo, uye usadya chingwa chevanhu.
  21191. Ezk 24:18 Zvino ndakataura kuvanhu mangwanani, madekwani mukadzi wangu ndokufa; zvino ndikaita mangwanani sezvandakarairwa.
  21192. Ezk 24:19 Zvino vanhu vakati kwandiri: Haungaudzi here kwatiri kuti zvinhu izvi zvii kwatiri zvaunoita?
  21193. Ezk 24:20 Zvino ndakati kwavari: Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21194. Ezk 24:21 Taura kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichasvibisa nzvimbo yangu tsvene, mbiri yesimba renyu, chishuwo chemeso enyu, uye chinonzwirwa tsitsi nemweya weupenyu wenyu; uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vamakasiya vachawa nemunondo.
  21195. Ezk 24:22 Zvino muchaita sezvandaita; hamungapfumbiri miromo, uye hamungadyi chingwa chevanhu.
  21196. Ezk 24:23 Nenguwani dzenyu dzichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi uye hamungaungudzi, asi muchaonda nekuda kwezvakaipa zvenyu, nekuchemana umwe kune umwe.
  21197. Ezk 24:24 Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvichienderana nezvose zvaaita, muchaita; kana zvasvika muchaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.
  21198. Ezk 24:25 Iwewo, mwanakomana wemunhu, hazvizoitiki here pazuva randichatora kubva kwavari simba ravo, mufaro wekubwinya kwavo, chishuwo chemeso avo, nechinodiwa nemweya yeupenyu yavo, vanakomana vavo nevanasikana vavo,
  21199. Ezk 24:26 nezuva iro kuchasvika kwauri anopukunyuka, kuzokunzwisa nenzeve?
  21200. Ezk 24:27 Nezuva iro muromo wako uchashamisirwa anopukunyuka, uye uchataura, ukasazovazve chimumumu; uye uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21201. Ezk 25:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21202. Ezk 25:2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuvana vaAmoni, ugoporofita pamusoro pavo.
  21203. Ezk 25:3 Zvino uti kuvana vaAmoni: Inzwai shoko raIshe Jehovha: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvamakati: Toko! pamusoro penzvimbo yangu tsvene payakasvibiswa, nepamusoro penyika yaIsraeri payakava dongo, nepamusoro peimba yaJudha pavakaenda muutapwa;
  21204. Ezk 25:4 naizvozvo tarirai, ndichakukumikidzai kuvarume vemabvazuva muve vavo, uye vachamisa mizinda yavo mamuri, nekuita misha yavo mamuri; ivo vachadya zvibereko zvenyu, uye ivo vachanwa mukaka wenyu.
  21205. Ezk 25:5 Zvino ndichaita Rabha rive mafuro emakamera, nevana vaAmoni nzvimbo yekurara yemakwai. Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21206. Ezk 25:6 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti wakarova ruoko, nekudididza netsoka, nekufara pamweya weupenyu nekuzvidza kwako kose uchirwisa nyika yaIsraeri;
  21207. Ezk 25:7 naizvozvo tarirai, ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pako, uye ndichakukumikidza kuva chakapambiwa kumarudzi, uye ndichakugura kubva pavanhu, uye ndichakuita uparare kubva munyika zhinji; ndichakuparadza, zvino uchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21208. Ezk 25:8 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti Moabhu naSeiri vanoti: Tarirai, imba yaJudha yakaita semarudzi ose;
  21209. Ezk 25:9 naizvozvo, tarirai, ndichazarura rutivi rwaMoabhu kubva kumaguta, kubva kumaguta ake kubva kumiganho yake, runako rwenyika: Bheti-Jeshimoti, Bhaari-Meyoni, uye kusvika kuKiriataimi,
  21210. Ezk 25:10 kuvana vekumabvazuva, pamwe nevana vaAmoni, uye ndichaita kuti ive yavo, kuti vana vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pemarudzi.
  21211. Ezk 25:11 Ndichaitawo mitongo pamusoro paMoabhu. Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
  21212. Ezk 25:12 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Edhomu zvavakabata imba yaJudha nekutsiva tsivo, wakatadza zvekutadza, wakazvitsivira pamusoro pavo;
  21213. Ezk 25:13 naizvozvo, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichatandavadzirawo ruoko rwangu pamusoro peEdhomu, uye ndichagura kubva mariri munhu nemhuka, uye ndichariita dongo, kubva paTemani, uye kusvika paDhedhani vachawa nemunondo.
  21214. Ezk 25:14 Zvino ndichaisa tsvivo yangu pamusoro paEdhomu neruoko rwevanhu vangu Israeri; uye vachaitira Edhomu zvinoenderana nekutsamwa kwangu uye zvinoenderana nehasha dzangu; naizvozvo vachaziva tsivo yangu, anoreva Ishe Jehovha.
  21215. Ezk 25:15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: VaFirisitia zvavakaita netsivo, uye vakatsiva tsivo nekuzvidza pamweya, kuti vaparadze, ruvengo rwekusingaperi;
  21216. Ezk 25:16 naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pevaFirisitia, uye ndichagura VaKereti, nekuparadza vakasara vepamahombekombe egungwa.
  21217. Ezk 25:17 Zvino ndichaita tsivo huru kwazvo pamusoro pavo nekutsiura kukuru kwehasha; ipapo vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichaisa tsivo yangu pamusoro pavo.
  21218. Ezk 26:1 Zvino zvakaitika mugore regumi nerimwe, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21219. Ezk 26:2 Mwanakomana wemunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusarema: Toko! Raputsika, raiva masuwo evanhu; ratendeukira kwandiri; ndichazadzwa; rava dongo.
  21220. Ezk 26:3 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, Tire, uye ndichakwidza marudzi mazhinji kuzokurwisa, sezvinokwidza gungwa mafungu aro.
  21221. Ezk 26:4 Uye vachaparadza masvingo eTire, nekukoromora shongwe dzaro; uye ndichapara guruva raro kubva pariri, ndigoriita ruware rwusine chinhu.
  21222. Ezk 26:5 Richava nzvimbo yekunikwa mimbure pakati pegungwa, nokuti ini ndazvitaura, anoreva Ishe Jehovha; uye richava chakapambiwa kumarudzi.
  21223. Ezk 26:6 Zvino vakunda varo vari kumunda vachaurawa nemunondo. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21224. Ezk 26:7 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichauisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wemadzimambo, kubva kumaodzanyemba, ane mabhiza uye nengoro uye nevatasvi vemabhiza, nechaunga, nevanhu vazhinji.
  21225. Ezk 26:8 Achauraya vakunda vako vari kumunda nemunondo; uye achakuitira nhare, ndokukudururira murwi, nekukusimudzira nhovo huru.
  21226. Ezk 26:9 Zvino achamisa makondobwe ekuputsa kurwisa masvingo ako, uye shongwe dzako achaputsa neminondo yake.
  21227. Ezk 26:10 Nekuda kweuwandu hwemabhiza ake, guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nekuda kweruzha rwevatasvi vemabhiza, nerwemavhiri, nerwengoro, paachapinda pamasuwo ako, sevanhu vanopinda muguta rakapaziwa.
  21228. Ezk 26:11 Nemahwanda emabhiza ake achatsikira pasi nzira dzako dzemumusha dzose; achauraya vanhu vako nemunondo; neshongwe dzako dzesimba dzichawira muvhu.
  21229. Ezk 26:12 Zvino vachapamba fuma yako, nekutapa zvishambadzirwa zvako, uye vachaputsa masvingo ako, nekuparadza dzimba dzako dzinofadza, uye vachaisa mabwe ako nematanda ako neguruva rako mukati memvura.
  21230. Ezk 26:13 Zvino ndichagumisa ruzha rwenziyo dzako; neinzwi rembira dzako haringazonzwikwizve.
  21231. Ezk 26:14 Zvino ndichakuita ruware rwusina chinhu; uchava nzvimbo yekunikwa mimbure; hauchazovakwizve; nokuti ini Jehovha ndazvitaura, anoreva Ishe Jehovha.
  21232. Ezk 26:15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha kuTire: Zviwi hazvingadengenyeki here pamutinhiro wekuwa kwako, vakakuvadzwa pavanogomera, pakuurawa kwevanourawa mukati mako?
  21233. Ezk 26:16 Ipapo machinda ose egungwa achaburuka kubva pazvigaro zvawo zveushe, ndokukurura nguvo dzavo refu, ndokubvisa zvipfeko zvavo zvakarukwa; vachapfeka kudedera, vachagara pasi, vagodedera nguva nenguva, ndokushamisika zvikuru pamusoro pako.
  21234. Ezk 26:17 Vachakusimudzira mariro ndokuti kwauri: Wakaparadzwa sei pamakungwa, iwe waigarwa, guta rine mbiri, waiva nesimba pagungwa, iye nevagari vake, ivo vakamisa kutyisa kwavo kumugari waro umwe neumwe.
  21235. Ezk 26:18 Ikozvino zviwi zvichadedera pazuva rekuwa kwako, hongu, zviwi zviri mugungwa zvichavhunduka pakubuda kwako.
  21236. Ezk 26:19 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pandichakuita guta dongo, semaguta asingagarwi, pandichakwiridzira udziku pamusoro pako, uye mvura zhinji ichakufukidza;
  21237. Ezk 26:20 ipapo ndichakuburusa pamwe navo kuburukira kugomba, kuvanhu venguva yekare, uye ndichakugarisa munzvimbo dzepasi dzepanyika, panzvimbo dzematongo ekare, pamwe nevanoburukira kugomba, kuti usazogarwa; zvino ndichaisa kubwinya panyika yevapenyu.
  21238. Ezk 26:21 Ndichakuita chityiso chikuru, hauchazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nekusingaperi, anoreva Ishe Jehovha.
  21239. Ezk 27:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21240. Ezk 27:2 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, simudzire Tire mariro;
  21241. Ezk 27:3 uti kuTire ugere pakupinda pazhinji pegungwa, uchitengeserana nevanhu pazviwi zvakawanda: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tire, iwe wakati: Ndakaperera pakunaka.
  21242. Ezk 27:4 Miganhu yako iri mumoyo yemakungwa; vavaki vako vakaperedzera runako rwako.
  21243. Ezk 27:5 Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi yekuSeniri; vakatora musidhari kubva kuRebhanoni kuti vakuitire mbiru yechikepe.
  21244. Ezk 27:6 Nemiouki yeBhashani vakaita matanda ako ekukwasva nawo; mukunda wevaAsiriya wakaita zvigaro zvako zvepazvikepe nenyanga dzenzou dzinobva kuzviwi zveKitimi.
  21245. Ezk 27:7 Mucheka wakapfava kwazvo wakarukirwa unobva Egipita ndiwo waiva chekuwaridza chako kuva chiratidzo chako; zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute kubva kuzviwi zvaErisha zvakava chifukidzo chako.
  21246. Ezk 27:8 Vagari veSidhoni neArivhadhi vaiva vakwasvi vako; vakachenjera vako, iwe Tire, vaiva mukati mako, vaiva vafambisi vezvikepe zvako.
  21247. Ezk 27:9 Vatana veGebhari nevakachenjera varo vaiva mauri vari vagadziri vemaburi ako; zvikepe zvose zvegungwa nevafambisi vazvo vaiva mauri kuti vatengeserane newe nhumbi dzako dzekutengeserana.
  21248. Ezk 27:10 VaPerisiya nevaRudhi nevaPuti vaiva muhondo yako, varume vako vehondo; vaiturikira mukati mako nhovo nenguwani; ivo vakapa runako rwako.
  21249. Ezk 27:11 Varume veArivhadhi pamwe nehondo yako vaiva pamusoro pemasvingo ako kupoteredza; uye mhare dzaiva pashongwe dzako; vakaremberedza nhovo dzavo pamasvingo ako kupoteredza; ivo vakaperedzera runako rwako.
  21250. Ezk 27:12 Tarishishi raitengeserana newe nekuda kweuwandu hwefuma yose; vakatsinhanisa nhumbi dzako nesirivha, dare, tini, nemutobvu.
  21251. Ezk 27:13 Javhani, Tubhari, neMesheki, ndivo vatengeserani vako; vakatsinhanisa nhumbi dzako nemweya yevanhu nemidziyo yendarira.
  21252. Ezk 27:14 Veimba yaTogarima vakatsinhanisa nhumbi dzako nemabhiza nevatasvi vemabhiza nemahesera.
  21253. Ezk 27:15 Varume veDhedhani vaiva vatengeserani vako; zviwi zvizhinji zvaiva zvekutengeserana zveruoko rwako; zvakakuvigira nyanga dzenzou nematanda emusuma kuva chipo.
  21254. Ezk 27:16 Siriya yaiva vatengeserani vako nekuda kweuzhinji hwemabasa ako; vakatsinhanisa nhumbi dzako nemaemaradhi, zveruvara rwehute, nezvakarukwa, nemucheka wakapfava, nekorari neagate.
  21255. Ezk 27:17 Judha nenyika yaIsraeri, ndivo vatengeserani vako; vakatsinhanisa nhumbi dzako negorosi reMiniti, nepenagi, neuchi, nemafuta, nebharisami.
  21256. Ezk 27:18 Dhamasiko raiva mutengeserani wako neuwandu hwemabasa ako nekuda kweuwandu hwefuma dzose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.
  21257. Ezk 27:19 Zvino Dhani neJavhani dzichienda nekudzoka dzakabatikana pamabasa ako; dare rinobwinya, kasia, nekaramo zvaiva pakati penhumbi dzako.
  21258. Ezk 27:20 Dhedhani raiva mutengeserani wako nemicheka inokosha yepangoro.
  21259. Ezk 27:21 Arabhiya nemachinda ose eKedhari vaiva vatengeserani veruoko rwako; nemakwayana nemakondohwe nembudzi, neizvi vaitengeserana newe.
  21260. Ezk 27:22 Vatengeserani veShebha neRaama vaiva vatengeserani vako; vaitsinhanisa nhumbi dzako nezvikuru zvose zvezvinonhuhwira, uye nemabwe ose anokosha, negoridhe.
  21261. Ezk 27:23 Harani neKane neEdheni vaiva vatengeserani veShebha; Ashuri neKirimadhi vaiva vatengeserani vako.
  21262. Ezk 27:24 Ava vatengeserani vako pazvinhu zvakaperera, pamabutiro eruvara rwedenga, nezvakarukwa, nepazvipfuva zvenguvo dzeufumi dzakasungwa nemabote, uye dzakaitwa nemisidhari, pakati pezvitengeswa zvako.
  21263. Ezk 27:25 Zvikepe zveTarishishi zvaiimba nezvako nekuda kwenhumbi dzako dzekutengeserana; uye wakazadzwa, wakarumbidzwa kwazvo mumoyo wemakungwa.
  21264. Ezk 27:26 Avo vanokukwasva vakakuuisa kumvura zhinji; mhepo yekumabvazuva yakakuputsa mumoyo wemakungwa.
  21265. Ezk 27:27 Fuma yako, nenhumbi dzako, zvitengeswa zvako, vafambisi vezvikepe vako, nevachairi vako, vagadziri vemaburi vako, nevatengesi venhumbi dzako, nevarume vako vehondo vari mukati mako, nemuboka rako rose riri mukati mako, vachawira mumoyo wemakungwa nezuva rekuparara kwako.
  21266. Ezk 27:28 Neinzwi rekuchema kwevachairi vezvikepe vako mafuro achadengenyeka.
  21267. Ezk 27:29 Nevose vanobata matanda ekukwasva, vezvikepe, vachairi vose vegungwa, vachaburuka kubva muzvikepe zvavo, vachamira pavhu.
  21268. Ezk 27:30 Zvino vachanzwisa inzwi ravo kurwisana newe, uye vachachema zvinorwadza, uye vachakushira guruva mumisoro yavo, vachazviumburudza mumadota,
  21269. Ezk 27:31 vachazviita miparavara nemiparavara nekuda kwako, vachazvisunga zvivuno nemasaga, uye vachachema pamusoro pako mukurwadza kwemweya, mariro anorwadza.
  21270. Ezk 27:32 Zvino pakurira kwavo vachakusimudzira mariro ndokurira pamusoro pako vachiti: Ndiani wakafanana neTire, sewakaparara mukati megungwa?
  21271. Ezk 27:33 Pakubuda kwenhumbi dzako dzekutengeserana kubva mumakungwa, wakagutsa vanhu vazhinji; neuwandu hwefuma yako nenhumbi dzako dzekutengeserana wakafumisa madzimambo epanyika.
  21272. Ezk 27:34 Panguva yawakaputswa nemakungwa muudziku hwemvura zhinji, nhumbi dzako dzekutengeserana neboka rako rose pakati pako zvakawa.
  21273. Ezk 27:35 Vagari vose vepazviwi vachashamiswa pamusoro pako, nemadzimambo avo achatya zvinorwadza, chiso chavo chichabvongodzwa.
  21274. Ezk 27:36 Vatengesi pakati pevanhu vachakuridzira muridzo; uchava zvityiso; haungazovipozve kusvika rinhi narinhi.
  21275. Ezk 28:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21276. Ezk 28:2 Mwanakomana wemunhu, iti kumuchinda weTire: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Moyo wako zvawakazvikudza, iwe ndokuti: Ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari mumoyo wemakungwa; asi iwe uri munhu uye hausi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako semoyo waMwari.
  21277. Ezk 28:3 Tarira, wakachenjera kupfuura Dhaniyeri; hakuna chakavanzika chavangaviga kwauri.
  21278. Ezk 28:4 Neuchenjeri hwako uye nekunzwisisa kwako wakazviwanira upfumi, uye wakawana goridhe nesirivha muzvivigiriro zvefuma zvako.
  21279. Ezk 28:5 Neuchenjeri hwako ukuru mukutengeserana kwako wakawanza ufumi hwako, uye moyo wako wakazvikudza nekuda kwefuma yako.
  21280. Ezk 28:6 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvawakamisa moyo wako semoyo waMwari,
  21281. Ezk 28:7 naizvozvo tarira, ndichauisa vatorwa pamusoro pako, vatyisi vemarudzi, uye vachavhomorera runako rweuchenjeri hwako munondo, zvino vachasvibisa kubwinya kwako.
  21282. Ezk 28:8 Vachakuburusira kugomba; uye uchafa mundufu dzevanourawa pakati pemakungwa.
  21283. Ezk 28:9 Chokwadi uchati here pamberi peanokuuraya: Ndiri Mwari? Asi uri munhu, uye hausi Mwari, paruoko rweanokukuvadza.
  21284. Ezk 28:10 Uchafa ndufu dzevasina kudzingiswa neruoko rwevatorwa; nokuti ini ndataura, anoreva Ishe Jehovha.
  21285. Ezk 28:11 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21286. Ezk 28:12 Mwanakomana wemunhu, simudzira mambo weTire mariro, uye uti kwaari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iwe unoisa chidhindo pakaperedzerwa, uzere neuchenjeri, uye wakaperera parunako.
  21287. Ezk 28:13 Waiva muEdheni mubindu raMwari; ibwe ripi neripi rinokosha raiva chifukidzo chako, saridhiosi, topasi, nedhaimani, bheriri, onikisi, nejasipiri, safiri, emaradhi, nekaribhunikuri, negoridhe; basa rengoma dzako nenyere dzako raiva kwauri; pazuva rekusikwa kwako zvakagadzirwa.
  21288. Ezk 28:14 Iwe uri kerubhi rakazodzwa rinofukidza; uye ndakakumisa; waiva pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakafamba kuenda uko neuko pakati pemabwe emoto.
  21289. Ezk 28:15 Waiva wakaperera panzira dzako kubva pazuva rawakasikwa kusvika uipi hwawanikwa mauri.
  21290. Ezk 28:16 Neuwandu hwevatengeserani vako vakazadza mukati mako nechisimba, zvino iwe wakatadza. Naizvozvo ndichakurasa sewakasvibiswa ubve pagomo raMwari, uye ndichakuparadza, iwe kerubhi rekufukidza, kubva pakati pemabwe emoto.
  21291. Ezk 28:17 Moyo wako wakazvikudza nekuda kwerunako rwako; wakaodza uchenjeri hwako nekuda kwekubwinya kwako; ndakakupotsera pasi, ndakakuisa pamberi pemadzimambo kuti vakuone.
  21292. Ezk 28:18 Neuwandu hwezvitadzo zvako neuipi hwekutengeserana kwako wakasvibisa nzvimbo tsvene dzako; naizvozvo ndichabudisa moto mukati mako; ndiwo uchakuparadza; uye ndichakuita dota panyika pameso evose vanokuona.
  21293. Ezk 28:19 Vose vanokuziva pakati pemarudzi vachashamiswa kwazvo pamusoro pako; uchava zvityiso, ukasavapo kusvika rinhi narinhi.
  21294. Ezk 28:20 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21295. Ezk 28:21 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kumirisana neSidhoni, ugoporofita pamusoro paro.
  21296. Ezk 28:22 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, iwe Sidhoni; zvino ndichakudzwa mukati mako; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha kana ndaita mitongo mariri, uye ndichaitwa mutsvene mariri.
  21297. Ezk 28:23 Nokuti ndichatuma hosha mariri, neropa munzira dzaro dzemumusha; uye vakakuvadzwa vachawa mukati maro nemunondo pamusoro pake kudivi rimwe nerimwe; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21298. Ezk 28:24 Zvino hakuchazovizve kuimba yaIsraeri nerukato runobaya kana minzwa inorwadza kubva kune vose vakakomberedza vanovazvidza. Zvino vachaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.
  21299. Ezk 28:25 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pandinenge ndaunganidza imba yaIsraeri kubva kumarudzi kwavakanga vakaparadzirwa pakati pawo, uye ndaitwa mutsvene mavari pameso pemarudzi, ipapo vachagara munyika yavo yandakapa kumuranda wangu Jakove.
  21300. Ezk 28:26 Zvino vachagara vakachengeteka mariri, uye vachavaka dzimba, nekusima minda yemizambiringa, hongu, vachagara vakachengeteka, pandinenge ndaita mitongo pamusoro pevose vanovazvidza vakavapoteredza. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wavo.
  21301. Ezk 29:1 Mugore regumi, nemwedzi wegumi, neregumi nemaviri remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21302. Ezk 29:2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuna Farao mambo weEgipita, uporofite uchipokana naye uye uchipokana neEgipita rose.
  21303. Ezk 29:3 Taura zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, Farao mambo weEgipita, bukanana guru, rirere pakati penzizi dzaro, unoti: Rwizi rwangu nderwangu, ndakazviitira irwo.
  21304. Ezk 29:4 Asi ndichaisa mahaka pashaya dzako, uye ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, uye ndichakubvisa mukati menzizi dzako; uye hove dzose dzenzizi dzako dzichanamatira pamakwande ako.
  21305. Ezk 29:5 Zvino ndichakusiya murenje, iwe nehove yose yenzizi dzako; uchawira pachiso chesango; haungasanganiswi uye haungaunganidzwi; ndakakupa kuva zvekudya kuzvikara zvesango nekushiri dzekudenga.
  21306. Ezk 29:6 Zvino vagari vose veEgipita vachaziva kuti ndiri Jehovha, nokuti vaiva tsvimbo yerutsanga kuimba yaIsraeri.
  21307. Ezk 29:7 Pavachakubata neruoko, wakavhunika ndokudambura fudzi ravo rose; uye pavakasendama pamusoro pako, wakavhunika, ndokumisisa zviuno zvavo zvose.
  21308. Ezk 29:8 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichauisa munondo pamusoro pako, nekugura munhu nemhuka kubva mauri.
  21309. Ezk 29:9 Zvino nyika yeEgipita ichava dongo nerenje; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha; nokuti iye akati: Rwizi nderwangu, ndini ndakarwuita.
  21310. Ezk 29:10 Naizvozvo tarira, ndinopokana newe, uye ndinopokana nenzizi dzako, uye ndichaita nyika yeEgipita yakaparara kwazvo-kwazvo uye dongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvika pamuganhu weItiyopiya.
  21311. Ezk 29:11 Hakuna rutsoka rwemunhu rwuchapfuura nemariri, uye hakuna rutsoka rwemhuka rwuchapfuura nemariri, uye haringagarwi makore makumi mana.
  21312. Ezk 29:12 Zvino ndakaita nyika yeEgipita dongo pakati penyika dziri matongo, nemaguta aro pakati pemaguta akaparara achava matongo makore makumi mana; uye ndichaparadzira vaEgipita pakati pemarudzi, nekuvakushanya panyika zhinji.
  21313. Ezk 29:13 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pakupera kwemakore makumi mana ndichaunganidza vaEgipita kubva kumarudzi kwavaiva vakaparadzirwa.
  21314. Ezk 29:14 Zvino ndichadzosa utapwa hweEgipita, uye ndichavadzosa kunyika yePatirosi, kunyika yechizvarigo chavo, uye ikoko vachava umambo hwepasi.
  21315. Ezk 29:15 Huchava hwakaderera kupfuura ushe hwose, uye hahungazvikudzizve kupfuura marudzi, nokuti ndichavadukupisa, uye havangazotongi pamusoro pemarudzi.
  21316. Ezk 29:16 Zvino harichazovizve chivimbo cheimba yaIsraeri, yechiyeuchidziso cheuipi, pavachavatendeukira kuvatevera. Asi vachaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.
  21317. Ezk 29:17 Zvino zvakaitika mugore remakumi maviri nenomwe, mune wekutanga, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21318. Ezk 29:18 Mwanakomana wemunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakabatisa hondo yake basa guru kurwisa Tire; musoro umwe neumwe wakaitwa muparavara, uye fudzi rimwe nerimwe rakasvuuka; zvakadaro waiva asina mubairo, kana hondo yake, nekuda kweTire, pamusoro peshumiro yaaiva ashumira kuirwisa.
  21319. Ezk 29:19 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichapa nyika yeEgipita kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; zvino iye achatora chaunga chake ndokupamba zvakapambiwa zvake, ndokutora zvakajimbiwa zvake, uye zvichava mubairo wehondo yake.
  21320. Ezk 29:20 Ndakamupa nyika yeEgipita uve mubairo wake wezvaakashandira, nokuti vakandishandira, anoreva Ishe Jehovha.
  21321. Ezk 29:21 Nezuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichakupa kushama kwemuromo pakati pavo. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21322. Ezk 30:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21323. Ezk 30:2 Mwanakomana wemunhu, porofita uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ungudzai! Nhamo kuzuva iri!
  21324. Ezk 30:3 Nokuti zuva rava pedo, hongu, zuva raIshe rava pedo; zuva rine makore; ichava nguva yemarudzi.
  21325. Ezk 30:4 Zvino munondo uchauya muEgipita, nekurwadziwa kuchava muItiyopiya, vakaurawa pavachawa muEgipita; uye vachatora zvaunga zvake, nenheyo dzake dzichakoromorwa.
  21326. Ezk 30:5 Itiyopiya, nePuti, neRudhi, nevanhu vose vakasangana, neKubhi, nevana venyika yesungano, pamwe navo vachawa nemunondo.
  21327. Ezk 30:6 Anoreva seizvi Jehovha: Naivo vanotsigira Egipita vachawa; nekuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; kubva paMigidhori kusvika paSevhene vachawamo nemunondo, anoreva Ishe Jehovha.
  21328. Ezk 30:7 Zvino vachaparadzwa pakati pedzinyika dzakaparadzwa; nemaguta adzo achava pakati pemaguta akaparadzwa.
  21329. Ezk 30:8 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichaisa moto muEgipita, nevabatsiri vake vose vachaputswa.
  21330. Ezk 30:9 Nezuva iro nhume dzichabuda kubva kwandiri vari muzvikepe kunovhundudzira vaItiyopiya vasina hanya; uye marwadzo achauya pakati pavo pazuva reEgipita, nokuti tarira, rinouya.
  21331. Ezk 30:10 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichagumisawo chaunga cheEgipita neruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.
  21332. Ezk 30:11 Iye nevanhu vake pamwe naye, vanotyisa vemarudzi, vachaunzwa kuzoparadza nyika; uye vachavhomora minondo yavo kurwisa Egipita, ndokuzadza nyika nevakaurawa.
  21333. Ezk 30:12 Zvino ndichaita nzizi ngwenga, ndokutengesa nyika muruoko rwevakaipa, uye ndichaita nyika dongo nekuzara kwayo neruoko rwevatorwa. Ini Jehovha ndataura.
  21334. Ezk 30:13 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichaparadzawo zvifananidzo, uye ndichagumisa mifananidzo kubva paNofi; uye hakungazovizve nemuchinda kubva panyika yeEgipita; uye ndichaisa kutya munyika yeEgipita.
  21335. Ezk 30:14 Zvino ndichaita Patirosi dongo, uye ndichaisa moto paZoani, uye ndichaita mitongo paNo.
  21336. Ezk 30:15 Zvino ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, nhare yeEgipita; uye ndichagura chaunga cheNo.
  21337. Ezk 30:16 Zvino ndichaisa moto muEgipita; Sini richava nemarwadzo makuru; uye No richapamurwa; neNofi richashungurudzika zuva rimwe nerimwe.
  21338. Ezk 30:17 Majaya eAvheni neePi-Bhesheti achawa nemunondo, uye vakunda ava vachaenda muutapwa.
  21339. Ezk 30:18 PaTapanesiwo masikati achava rima, pandichavhunapo majoko eEgipita; uye kuzvikudza kwesimba rake kuchaguma mariri; iro gore richarifukidza; uye vakunda vake vachaenda muutapwa.
  21340. Ezk 30:19 Saizvozvo ndichaita mitongo muEgipita; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21341. Ezk 30:20 Zvino zvakaitika mugore regumi nerimwe, mumwedzi wekutanga, nerechinomwe remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21342. Ezk 30:21 Mwanakomana wemunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo weEgipita; zvino tarira, harwuna kupomberwa kuti rwupiwe mishonga, kuisa chiseketo kurusunga, kuti rwusimbire kubata munondo.
  21343. Ezk 30:22 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinopokana naFarao mambo weEgipita, zvino ndichavhuna maoko ake, rwune simba nairwo rwakavhunika; ndiwisise pasi munondo kubva muruoko rwake.
  21344. Ezk 30:23 Zvino ndichakushira vaEgipita pakati pemarudzi, uye ndichavaparadzira mudzinyika.
  21345. Ezk 30:24 Zvino ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nekuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uye achagomera pamberi pake nekugomera kwewakakuvarira kufa.
  21346. Ezk 30:25 Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, uye maoko aFarao achawira pasi; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichaisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye achautandavadzira pamusoro penyika yeEgipita.
  21347. Ezk 30:26 Zvino ndichaparadzira vaEgipita pakati pemarudzi, nekuvadzingirira pakati penyika zhinji; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21348. Ezk 31:1 Zvino zvakaitika mugore regumi nerimwe, nemwedzi wechitatu, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21349. Ezk 31:2 Mwanakomana wemunhu, iti kuna Farao mambo weEgipita nekuchaunga chake: Wakafanana nani paukuru hwako?
  21350. Ezk 31:3 Tarira, Asiriya musidhari paRebhanoni, une mashizha akanaka, sedondo rine mumvuri, uye wakakwirira paurefu; nemusoro wawo waiva pakati pematavi makobvu.
  21351. Ezk 31:4 Mvura zhinji yakaukurisa; udziku hwakauisa pakakwirira, nenzizi dzawo dzichiyerera kupoteredza zvirimwa zvawo, ndokutuma hova dzayo kumiti yose yesango.
  21352. Ezk 31:5 Naizvozvo urefu hwawo hwakakwirira kudarika miti yose yesango, mapazi awo ndokuwanda, uye matavi awo akareba nekuda kwemvura zhinji, pamakaumeresa.
  21353. Ezk 31:6 Shiri dzose dzekumatenga dzakaita matendere adzo mumatavi makobvu awo, nemhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pematavi awo; uye marudzi ose makuru akagara mumumvuri wawo.
  21354. Ezk 31:7 Saizvozvo waiva wakanaka pakukura kwawo, pakureba kwematavi awo; nokuti mudzi wawo waiva pamvura zhinji.
  21355. Ezk 31:8 Misidhari mubindu raMwari yaiva isingaudzitiri; miti yemisiperesi haina kufanana nevutavi hwawo; nemipurani yaiva isina kufanana nemabukira awo; kwaiva kusina muti mumunda waMwari wakaita saiwo pakunaka kwawo.
  21356. Ezk 31:9 Ndakamunatsa neuwandu hwematavi awo, kuti miti yose yeEdheni yaiva mubindu raMwari yakaugodora.
  21357. Ezk 31:10 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nekuda kwekuti wakazvikudza pakureba uye wakasvitsa musoro wawo pakati pematavi makobvu, zvino moyo wawo wakazvikudza neurefu hwawo;
  21358. Ezk 31:11 naizvozvo ndichaupa muruoko rweane simba wemarudzi; iye achabata newe kwazvo; ndakaudzinga nekuda kweuipi hwawo.
  21359. Ezk 31:12 Zvino vatorwa, vanotyisa vemarudzi, vakaugura vakausiya; matavi ake akawira pamusoro pemakomo nemumipata yose; nemabukira awo akagurwa panzizi dzose dzepanyika; nevanhu vose vepanyika vaburuka kubva pamumvuri wawo ndokuusiya.
  21360. Ezk 31:13 Shiri dzose dzekumatenga dzichagara pamusoro pekuparara kwawo, nemhuka dzose dzesango dzichava pamusoro pematavi awo.
  21361. Ezk 31:14 Kuti pasava neumwe wemiti yepamvura zhinji uchazvikudza nekuda kweurefu, uye usasvitsa misoro yayo pakati pematavi makobvu, uye isazvimiririra neurefu hwayo, yose inonwa mvura; nokuti yose yakapiwa kukufa, panzvimbo yepasi penyika, pakati pevana vevanhu, kune vanoburukira kugomba.
  21362. Ezk 31:15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nezuva rawakaburukira kuguva, ndakaitisa mariro; ndakamufukidzira udziku, uye ndakadzivira mafashame ahwo; zvino mvura zhinji yakamiswa; ndakaita Rebhanoni isvibirirwe nekuda kwawo, nemiti yose yesango yakasvava nekuda kwawo.
  21363. Ezk 31:16 Ndakadederesa marudzi pakutinhira kwekuwa kwake, pandakamuburusira muguva pamwe nevanoburukira kugomba; nemiti yose yeEdheni, yakasarudzwa neyakanaka yeRebhanoni, yose inonwa mvura, ichavaraidzwa panzvimbo yepasi penyika.
  21364. Ezk 31:17 Naiyo yakaburukira muguva pamwe nawo, kune vaiva vaurawa nemunondo, nevaiva ruoko rwawo vaigara pasi pemumvuri wawo pakati pemarudzi.
  21365. Ezk 31:18 Wakafanana nani saizvozvo pakubwinya nepaukuru pakati pemiti yeEdheni? Zvakadaro uchaburuswa pamwe nemiti yeEdheni kunzvimbo yepasi penyika; ucharara pakati pevasina kudzingiswa pamwe nevakaurawa nemunondo. Uyu ndiFarao nechaunga chake chose, anoreva Ishe Jehovha.
  21366. Ezk 32:1 Zvino zvakaitika mugore regumi nemaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21367. Ezk 32:2 Mwanakomana wemunhu, simudzira Farao mambo weEgipita mariro, zvino uti kwaari: Wakafanana neshumba diki pamarudzi; uye wakaita sebukanana mumakungwa; uye wakadhuuka munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nekusvibisa nzizi dzawo.
  21368. Ezk 32:3 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Naizvozvo ndichatambanudzira rutava rwangu pamusoro pako nechaunga chevanhu vazhinji; zvino vachakukwidza uri mumumbure wangu.
  21369. Ezk 32:4 Zvino ndichakusiya pavhu, uye ndichakukandira pabani, uye ndichagarisa shiri dzose dzematenga pamusoro pako, uye ndichagutsa zvikara zvenyika dzose newe.
  21370. Ezk 32:5 Uye ndichaisa nyama yako pamusoro pemakomo, nekuzadza mipata neurefu hwako.
  21371. Ezk 32:6 Ndichadiridzawo nyika nekuyerera kunobva paropa rako kusvika kumakomo; uye hova dzichazadzwa newe.
  21372. Ezk 32:7 Uye kana ndichikudzima, ndichafukidza matenga, nekusvibiridza nyeredzi; ndichafukidza zuva negore, uye mwedzi haungapi chiedza chawo.
  21373. Ezk 32:8 Zviedza zvose zvinovhenekera mumatenga ndichazviita rima pamusoro pako, nekuisa rima panyika yako, anoreva Ishe Jehovha.
  21374. Ezk 32:9 Ndicharwadzisawo moyo yevanhu vazhinji, pandichaunza kupwanyika kwako pakati pemarudzi, panyika dzausina kuziva.
  21375. Ezk 32:10 Hongu, ndichashamisisa vanhu vazhinji newe, nemadzimambo avo achatya zvikuru newe, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo; uye vachadedera nguva imwe neimwe, umwe neumwe nekuda kweupenyu hwake, nezuva rekuwa kwako.
  21376. Ezk 32:11 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kwauri.
  21377. Ezk 32:12 Ndichawisisa chaunga chako neminondo yevane simba, vanotyisa vemarudzi, vose; zvino vachapamba kuzvikudza kweEgipita; nechaunga chayo chose chichaparadzwa.
  21378. Ezk 32:13 Ndichaparadzawo mhuka dzayo dzose kubva pamvura zhinji; nerutsoka rwemunhu harwuzoibvongodzizve, uye mahwanda ezvipfuwo haangazoibvongodzi.
  21379. Ezk 32:14 Ipapo ndichanyudza mvura yavo, nekuyeredza nzizi dzavo semafuta, anoreva Ishe Jehovha.
  21380. Ezk 32:15 Pandichaita nyika yeEgipita dongo, nenyika ishaiwe zvayaiva yakazara nazvo, pandicharova vose vagere mairi, ipapo vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21381. Ezk 32:16 Awa ndiwo mariro avachaichema nawo; vakunda vemarudzi vachaichema; vachaichema pamusoro peEgipita nepamusoro pechaunga chake chose, anoreva Ishe Jehovha.
  21382. Ezk 32:17 Zvino zvakaitika mugore regumi nemaviri, neregumi nemashanu remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21383. Ezk 32:18 Mwanakomana wemunhu, ungudza pamusoro pechaunga cheEgipita, uvawisire pasi, iro nevakunda vemarudzi ane mbiri, kusvika kunzvimbo dzepasi dzenyika, pamwe nevanoburukira kugomba.
  21384. Ezk 32:19 Unopfuura ani parunako? Buruka, ugonoradzikwa pamwe nevasina kudzingiswa.
  21385. Ezk 32:20 Vachawa pakati pevakaurawa nemunondo; richapiwa kumunondo; rikwevei pamwe nechaunga charo chose.
  21386. Ezk 32:21 Vane simba pakati pemhare vachataura naye mukati megehena pamwe nevanomubatsira; vaburukira pasi, varere vasina kudzingiswa, vakaurawa nemunondo.
  21387. Ezk 32:22 Ashuri riri apo neboka raro rose; makuva aro akarikomberedza; vose vakaurawa, vakawa nemunondo.
  21388. Ezk 32:23 Nokuti makuva aro akaiswa kumicheto yegomba, uye boka raro rakakomberedza guva raro; vose vakaurawa, vakawa nemunondo, vaipa kutyisa panyika yevapenyu.
  21389. Ezk 32:24 Eramu riripo nechaunga charo chose chakakomberedza guva raro; vose vakaurawa, vakawa nemunondo, vakaburukira vasina kudzingiswa kunzvimbo dzepasi dzepanyika, vakapa kutyisa kwavo panyika yevapenyu; zvakadaro vakatakura kunyadzisa kwavo pamwe nevanoburukira kugomba.
  21390. Ezk 32:25 Vakariisira mubhedha pakati pevakaurawa pamwe nechaunga charo; makuva aro akarikomberedza; vose vasina kudzingiswa, vakaurawa nemunondo; nokuti kutyisa kwavo kwakapiwa munyika yevapenyu; zvakadaro vakatakura chinyadzo chavo pamwe nevanoburukira kugomba; rakaiswa pakati pevakaurawa.
  21391. Ezk 32:26 Mesheki neTubhari aripo, pamwe nechaunga charo chose; makuva aro akarikomberedza; vose vasina kudzingiswa, vakaurawa nemunondo, nokuti vakapa kutyisa kwavo munyika yevapenyu.
  21392. Ezk 32:27 Zvino havangarari pamwe nevane simba, vakawa pakati pevasina kudzingiswa, vanoburukira kugehena pamwe nezvombo zvavo zvehondo, uye vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo; asi uipi hwavo huchava pamusoro pemapfupa avo; nokuti kutyisa kwemhare kwaiva munyika yevapenyu.
  21393. Ezk 32:28 Zvino iwe uchaputswa pakati pevasina kudzingiswa, uye ucharara pamwe nevakaurawa nemunondo.
  21394. Ezk 32:29 Edhomu riripo, madzimambo aro, nemachinda aro ose, vakaradzikwa pamwe nemasimba avo pamwe nevakaurawa nemunondo; ivo vacharara nevasina kudzingiswa nevanoburukira kugomba.
  21395. Ezk 32:30 Machinda ekumaodzanyemba aripo, aro ose, nevaSidhoni vose, vakaburukira pasi pamwe nevakaurawa; nekutyisa kwavo vakanyadziswa nekuda kwemasimba avo; uye varere vasina kudzingiswa pamwe nevakaurawa nemunondo, ndokutakura chinyadzo chavo pamwe nevanoburukira kugomba.
  21396. Ezk 32:31 Farao achavaona, zvino achanyaradzwa pamusoro pechaunga chake chose, vakaurawa nemunondo, Farao nehondo yake yose, anoreva Ishe Jehovha.
  21397. Ezk 32:32 Nokuti ndakaisa kutyisa kwangu panyika yevapenyu; uye acharadzikwa pakati pevasina kudzingiswa pamwe nevakaurawa nemunondo, Farao, nechaunga chake chose, anoreva Ishe Jehovha.
  21398. Ezk 33:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21399. Ezk 33:2 Mwanakomana wemunhu, taura kuvana vevanhu vako, uti kwavari: Pandinouisa munondo pamusoro penyika, kana vanhu venyika vakatora munhu pamiganhu yavo, vakamuita nharirire yavo,
  21400. Ezk 33:3 paanoona munondo uchiuya pamusoro penyika, akaridza hwamanda, ndokuyambira vanhu;
  21401. Ezk 33:4 zvino ani nani anonzwa kurira kwehwamanda, asi akasayambirika, kana munondo ukauya ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro pemusoro wake.
  21402. Ezk 33:5 Wakanzwa kurira kwehwamanda, asi akasayambirika, ropa rake richava pamusoro pake; asi anoyambirika achaponesa mweya weupenyu wake.
  21403. Ezk 33:6 Asi kana nharirire ichiona munondo uchiuya, ikasaridza hwamanda, vanhu ndokusayambirwa, kana munondo ukauya ukabvisa munhu pakati pavo, iye wabviswa nechivi chake, asi ropa rake ndicharitsvaka muruoko rwenharirire.
  21404. Ezk 33:7 Saizvozvo iwe, mwanakomana wemunhu, ndakakuisa kuva nharirire kuimba yaIsraeri; naizvozvo uchanzwa shoko pamuromo wangu ugovayambirira ini.
  21405. Ezk 33:8 Kana ndichiti kune wakaipa: Iwe wakaipa, uchafa zvirokwazvo; kana iwe ukasataura kuti uyambire wakaipa kubva panzira yake, wakaipa uyo achafira muchivi chake, asi ropa rake ndicharitsvaka paruoko rwako.
  21406. Ezk 33:9 Asi kana iwe ukayambira wakaipa panzira yake kuti atendeuke pairi, kana akasatendeuka panzira yake, iye achafira muchivi chake, asi iwe wanunura mweya weupenyu wako.
  21407. Ezk 33:10 Naizvozvo iwe, mwanakomana wemunhu, iti kuimba yaIsraeri: Munotaura seizvi muchiti: Nokuti zvitadzo zvedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, uye tinopera mazviri, zvino tichararama sei?
  21408. Ezk 33:11 Uti kwavari: Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo handifariri rufu rwewakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake ararame. Tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafirei, imwi imba yaIsraeri?
  21409. Ezk 33:12 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, uti kuvana vevanhu vako: Kururama kwewakarurama hakungamununuri pazuva rekudarika kwake; kana kuri kuipa kwewakaipa, haangawi nako pazuva raakatendeuka kubva pauipi hwake; uye wakarurama haangagoni kurarama nekururama kwake nezuva raanotadza.
  21410. Ezk 33:13 Pandichati kune wakarurama: Uchararama zvirokwazvo; kana iye achivimba nekururama kwake, ndokuita chitadzo, kururama kwake kose hakungarangarirwi; asi nekuda kweuipi hwake hwaaita, achahufira.
  21411. Ezk 33:14 Uye kana ndichiti kune wakaipa: Uchafa zvekufa; kana akatendeuka kubva pachivi chake, ndokuita mutongo nekururama;
  21412. Ezk 33:15 wakaipa akadzosa chibatiso, akaripa zvakapambiwa, akafamba muzvimiso zveupenyu, kuti asaita chitadzo, achararama zvirokwazvo, haangafi.
  21413. Ezk 33:16 Hakuna chimwe chezvivi zvake zvaakaita chicharangarirwa kwaari; waita mutongo nekururama, achararama zvirokwazvo.
  21414. Ezk 33:17 Asi vana vevanhu vako vanoti: Nzira yaIshe haina kururama; kana vari ivo, nzira yavo ndiyo isina kururama.
  21415. Ezk 33:18 Kana wakarurama akatendeuka kubva pakururama kwake ndokuita chitadzo, achafawo nekuda kwacho.
  21416. Ezk 33:19 Asi kana wakaipa akatendeuka kubva pauipi hwake, ndokuita mutongo nekururama, iye achararama naizvozvo.
  21417. Ezk 33:20 Zvakadaro munoti: Nzira yaIshe haina kururama. Imba yaIsraeri, ndichakutongai umwe neumwe zvinoenderana nenzira dzake.
  21418. Ezk 33:21 Zvino zvakaitika mugore regumi nemaviri reutapwa hwedu, mumwedzi wegumi, nereshanu remwedzi, umwe waiva apukunyuka kubva muJerusarema wakasvika kwandiri achiti: Guta rarohwa.
  21419. Ezk 33:22 Zvino ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu madekwani, wakapukunyuka asati asvika; zvino wakashamisa muromo wangu, kusvika iye asvika kwandiri mangwanani; saizvozvo muromo wangu ukashamiswa, ndikasazovazve mbeveve.
  21420. Ezk 33:23 Zvino shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti:
  21421. Ezk 33:24 Mwanakomana wemunhu, vagari vematongo awo enyika yaIsraeri vanotaura vachiti: Abhurahama waiva ari umwe, akagara nhaka yenyika; asi tiri vazhinji, nyika yapiwa isu kuva nhaka.
  21422. Ezk 33:25 Naizvozvo iti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Munodya zvine ropa, uye munosimudzira meso enyu kuzvifananidzo zvenyu, nekuteura ropa; zvino muchagara nhaka yenyika here?
  21423. Ezk 33:26 Munomira pamusoro pemunondo wenyu, munoita chinyangadzo, uye makasvibisa umwe neumwe mukadzi wewekwake; zvino muchagara nhaka yenyika here?
  21424. Ezk 33:27 Reva seizvi kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Neupenyu hwangu, zvirokwazvo vari mumatongo vachawa nemunondo; naiye ari mubani ndichapa kuzvikara kuti adyiwe; nevari munhare nemumapako vachafa nehosha.
  21425. Ezk 33:28 Nokuti nyika ndichaiita dongo nekuparara, uye kuzvikudza kwesimba rayo kuchapera; nemakomo aIsraeri achava matongo, kuti kusava neanopfuura nepo.
  21426. Ezk 33:29 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndaita nyika dongo nekuparara, nekuda kwezvinyangadzo zvavo zvose zvavakaita.
  21427. Ezk 33:30 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, vana vevanhu vako vanotaura pamusoro pako vari pamasvingo nepamikova yedzimba, vanotaura umwe kune umwe, vachiti umwe neumwe kuhama yake: Uyai henyu, munzwe kuti ishokoi rinobuda kuna Jehovha.
  21428. Ezk 33:31 Zvino vanouya kwauri sekuuya kwevanhu, uye vanogara pamberi pako sevanhu vangu, uye vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanoratidza rudo rukuru nemuromo wavo, asi moyo wavo unotevera mubairo wavo wakaipa.
  21429. Ezk 33:32 Zvino tarira, iwe wakaita kwavari serwiyo rwunodikanwa, inzwi rinotapira, uye unoridza zvakanaka mbira; nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
  21430. Ezk 33:33 Zvino pakusvika kweizvi (tarira zvichasvika), ipapo vachaziva kuti muporofita wanga ari pakati pavo.
  21431. Ezk 34:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21432. Ezk 34:2 Mwanakomana wemunhu, porofita uchipokana nevafudzi vaIsraeri, porofita, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha kuvafudzi: Nhamo kuvafudzi vaIsraeri vanozvifudza! Vafudzi havafaniri kufudza makwai here?
  21433. Ezk 34:3 Munodya mafuta, uye munozvipfekedza makushe, munobaya akakora, hamufudzi makwai.
  21434. Ezk 34:4 Hamuna kusimbisa asina simba, neanorwara hamuna kurapa, uye hamuna kusunga akavhunika, uye hamuna kudzosa akadzingwa, neakarasika hamuna kutsvaka, asi nechisimba makaatonga, uye neutsinye.
  21435. Ezk 34:5 Saizvozvo akapararira, nokuti hakuna mufudzi, uye akava zvekudya zvezvikara zvose zvesango, paakapararira.
  21436. Ezk 34:6 Makwai angu akadzungaira nemumakomo ose nepachikomo chimwe nechimwe chakakwirira; hongu, makwai angu akapararira pachiso chose chenyika; zvino hakuna wakatsvaka uye hakuna wakaronda.
  21437. Ezk 34:7 Naizvozvo imwi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
  21438. Ezk 34:8 Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo, nokuti makwai angu akava chakajimbiwa, uye makwai angu akava chekudya chechikara chipi nechipi chesango, nokuti hakuna mufudzi, nevafudzi vangu havana kutsvaka makwai angu, asi vafudzi vakazvifudza, ndokusafudza makwai angu;
  21439. Ezk 34:9 naizvozvo imwi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
  21440. Ezk 34:10 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinopokana nevafudzi, uye ndichabvunza makwai angu paruoko rwavo, nekuvagumisa kufudza makwai, nevafudzi havangazvifudzizve, nokuti ndichanunura makwai angu kubva pamuromo wavo, kuti arege kuzova zvekudya zvavo.
  21441. Ezk 34:11 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ini, iyeni, ndichatsvaka makwai angu nekuaronda.
  21442. Ezk 34:12 Semufudzi anoronda boka rake pazuva raari pakati pemakwai ake akapararira, saizvozvo ndicharonda makwai angu, nekuanunura kubva panzvimbo dzose kwaakaparariramo pazuva remakore nererima.
  21443. Ezk 34:13 Zvino ndichaabudisa kubva mumarudzi, nekuaunganidza kubva kudzinyika, uye ndichaauyisa kunyika yawo, ndokuafudza pamakomo aIsraeri, panzizi nepanzvimbo dzose dzakagarwa dzepanyika.
  21444. Ezk 34:14 Ndichaafudza paufuro hwakanaka, nepamusoro pemakomo akakwirira aIsraeri danga rawo richavapo; acharara ipapo mudanga rakanaka, uye achafura pamafuro akakora pamakomo aIsraeri.
  21445. Ezk 34:15 Ini ndichafudza makwai angu, uye ini ndichaararisa pasi, anoreva Ishe Jehovha.
  21446. Ezk 34:16 Ndichatsvaka akarasika, uye ndichadzosa akadzingwa, uye ndichasunga akavhunika, uye ndichasimbisa anorwara; asi ndichaparadza akakora neakasimba; ndichaafudza nemutongo.
  21447. Ezk 34:17 Zvino imwi, makwai angu, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinotonga pakati pegwai negwai, pakati pemakondohwe nedzinhongo.
  21448. Ezk 34:18 Chinhu chidiki kwamuri here kuti mufure paufuro hwakanaka, uye mutsikire pasi akasara emafuro enyu netsoka dzenyu? Uye kuti manwa pamvura dzakadzika asi mobvongodza yasara netsoka dzenyu?
  21449. Ezk 34:19 Asi makwai angu, anofura zvamakatsika netsoka dzenyu, uye anonwa zvakabvongodzwa netsoka dzenyu.
  21450. Ezk 34:20 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha kwavari: Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga pakati pegwai rakakora negwai rakaonda.
  21451. Ezk 34:21 Zvamunosunda nerutivi uye nefudzi, muchitunga ose anorwara nenyanga dzenyu, kusvika maaparadzira kunze,
  21452. Ezk 34:22 naizvozvo ndichaponesa makwai angu, kuti arege kuzojimbiwa, uye ndichatonga pakati pegwai negwai.
  21453. Ezk 34:23 Zvino ndichamisa mufudzi umwe chete pamusoro pawo, uye achaafudza, muranda wangu Dhavhidhi; iye achaafudza, uye iye achava mufudzi wawo.
  21454. Ezk 34:24 Zvino ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nemuranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndataura.
  21455. Ezk 34:25 Zvino ndichaita navo sungano yerugare, uye ndichagumisa zvikara zvakaipa panyika; uye vachagara vakachengetedzeka murenje, nekurara mumasango.
  21456. Ezk 34:26 Ndichavaita ropafadzo ivo nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu; uye ndichaburusa kupfunha panguva yako; kuchava nekupfunha kukuru kweropafadzo.
  21457. Ezk 34:27 Zvino muti wesango uchabereka chibereko chawo, nenyika ichapa goho rayo; uye vachava vakachengetedzeka munyika yavo; uye vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichavhuna zvikeyi zvejoko ravo, nekuvanunura kubva paruoko rwevakavashandisa.
  21458. Ezk 34:28 Zvino havachavizve chakajimbiwa kune vechirudzi; nechikara chenyika hachingavapedzi; asi vachagara vakachengeteka, uye hakuna achavatyisa.
  21459. Ezk 34:29 Zvino ndichavamutsira chirimwa chine zita; uye havachazopedzwizve nenzara munyika; uye havachazotakurizve chinyadzo chevechirudzi.
  21460. Ezk 34:30 Naizvozvi vachaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye ivo vanhu vangu, imba yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.
  21461. Ezk 34:31 Zvino imwi makwai angu, makwai eufuro hwangu, muri vanhu; ini ndiri Mwari wenyu, anoreva Ishe Jehovha.
  21462. Ezk 35:1 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21463. Ezk 35:2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako wakamirisana negomo reSeiri, uye uporofite uchipokana naro,
  21464. Ezk 35:3 uti kwariri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, iwe gomo reSeiri, zvino ndichatandavadzira ruoko rwangu kupokana newe, uye ndichakuita dongo nekuparara.
  21465. Ezk 35:4 Ndichaita maguta ako ave matongo, uye iwe uchava wakaparara, zvino uchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21466. Ezk 35:5 Nokuti wakava neruvengo rwusingaperi, uye wakateura vana vaIsraeri nesimba remunondo panguva yenjodzi yavo, nenguva yechitadzo chekupedzisira;
  21467. Ezk 35:6 naizvozvo, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo ndichakugadzirira ropa, uye ropa richakuteverera; zvausina kuvenga ropa, ropa richakutevererawo.
  21468. Ezk 35:7 Saizvozvo ndichaita gomo reSeiri kuparara nedongo; uye ndichagura kubva mariri anopfuura neanodzoka.
  21469. Ezk 35:8 Zvino ndichazadza makomo aro nevakaurawa varo; makomo ako nemipata yako nenzizi dzako dzose, vanourawa nemunondo vachawa padziri.
  21470. Ezk 35:9 Ndichakuita matongo asingaperi, uye maguta ako haangagarwi; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21471. Ezk 35:10 Zvawakati: Marudzi awa maviri nenyika idzi mbiri zvichava zvangu, uye tichazvigara nhaka kunyange Jehovha aivapo ipapo;
  21472. Ezk 35:11 naizvozvo neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, ndichaitawo zvinoenderana nekutsamwa kwako, uye zvinoenderana negodo rako rawakaita kubva paruvengo rwako rwaipokana navo; zvino ndichazvizivisa pakati pavo pandinenge ndakutonga.
  21473. Ezk 35:12 Zvino uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kunyomba kwako kose kwawakataura uchipokana nemakomo aIsraeri, uchiti: Aparara, apiwa kwatiri ave zvekudya.
  21474. Ezk 35:13 Saizvozvo nemuromo wenyu makazvikudza muchipokana neni, uye makawanza mashoko enyu kupokana neni; ini ndanzwa.
  21475. Ezk 35:14 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Semufaro wenyika yose, ndichakuita uve dongo.
  21476. Ezk 35:15 Sezvawakafara panhaka yeimba yaIsraeri, nekuda kwekuti yakaparara, ndichaita saizvozvo kwauri; uchava dongo, iwe gomo reSeiri, neEdhomu rose, zvose zvaro; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21477. Ezk 36:1 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, porofita kumakomo aIsraeri, zvino uti: Imwi makomo aIsraeri, inzwai shoko raJehovha.
  21478. Ezk 36:2 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Muvengi zvaakati pakurwisana nemwi: Haiwa, kunyange nzvimbo dzekare dzakakwirira ndedzedu panhaka;
  21479. Ezk 36:3 naizvozvo porofita uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti, hongu, nokuti vakakuitai dongo nekukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka kumarudzi akasara, makasimudzwa pamiromo yemitauro, mukava chinyeviwa chevanhu;
  21480. Ezk 36:4 naizvozvo, imwi makomo aIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Anoreva seizvi Ishe Jehovha kumakomo, nekuzvikomo, kunzizi, nekumipata, nekumatongo akaparara, nekumaguta akasiiwa, akava chinojimbiwa nechiseko kuvasiiwa vemarudzi akapoteredza.
  21481. Ezk 36:5 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvirokwazvo mumoto wegodo rangu ndakataura kurwisana nevasiiwa vemarudzi, nekurwisana neEdhomu rose, vakazvipa nyika yangu ive nhaka, nemufaro wemoyo wose, nepfungwa dzekuzvidza, nekuda kwekuipotsera ive chinojimbiwa.
  21482. Ezk 36:6 Naizvozvo porofita maererano nenyika yaIsraeri, uye uti kumakomo, nekuzvikomo, kunzizi, nekumipata: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai ndakataura mugodo rangu nemukupfuta kwangu, nokuti matakura chinyadzo chevechirudzi.
  21483. Ezk 36:7 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ini ndasimudza ruoko rwangu, zvirokwazvo vechirudzi vakakupoteredzai ivo vachatakura chinyadzo chavo.
  21484. Ezk 36:8 Asi imwi, makomo aIsraeri, muchabudisa matavi enyu, nekuberekera vanhu vangu Israeri chibereko chenyu, nokuti vava pedo kuuya.
  21485. Ezk 36:9 Nokuti tarirai, ndinemwi, uye ndichatendeukira kwamuri, uye mucharimwa nekudzvarwa.
  21486. Ezk 36:10 Zvino ndichawanza vanhu pamusoro penyu, imba yose yaIsraeri, iyo yose; zvino maguta achagarwa, nematongo achavakwa.
  21487. Ezk 36:11 Zvino ndichawanza vanhu nemhuka pamusoro penyu; uye zvichawanda nekubereka; uye ndichakumisai sezvazvakange zvakaita kare, uye ndichaita zvakanaka kupfuura kutanga kwenyu; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21488. Ezk 36:12 Hongu, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, vanhu vangu Israeri; uye vachakuitai vavo, uye muchava nhaka yavo; uye kubva zvino hamuchazovaitizve vafirwe nevana.
  21489. Ezk 36:13 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvavanoti kwamuri: Iwe uri mupedzi wevanhu, uye wakaita rudzi rwako rwufirwe nevana;
  21490. Ezk 36:14 naizvozvo hauchazopedzizve vanhu, kana kuurairazve marudzi ako vana, anoreva Ishe Jehovha.
  21491. Ezk 36:15 Uye handinganzwisizve mauri chinyadzo chevechirudzi, uye haungazotakurizve kushoorwa kwevanhu, uye haungawisisizve marudzi ako, anoreva Ishe Jehovha.
  21492. Ezk 36:16 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21493. Ezk 36:17 Mwanakomana wemunhu, veimba yaIsraeri pavaigara munyika yavo, vakaisvibisa nenzira yavo uye nezviito zvavo; nzira yavo yaiva pamberi pangu sekusviba kwemukadzi ari kumwedzi.
  21494. Ezk 36:18 Naizvozvo ndakadurura kupfuta kwangu pamusoro pavo nekuda kweropa ravakateura pamusoro penyika, uye nekuda kwezvifananidzo zvavakaisvibisa nazvo.
  21495. Ezk 36:19 Zvino ndakavaparadzira pakati pevechirudzi, uye vakakushwa munyika zhinji; zvichienderana nenzira yavo uye zvichienderana nezviito zvavo ndakavatonga.
  21496. Ezk 36:20 Pavakapinda mune vechirudzi kwavakaendapo, vakamhura zita rangu dzvene, vanhu pavakati pamusoro pavo: Ava ndivo vanhu vaJehovha, uye vakabuda panyika yake.
  21497. Ezk 36:21 Asi ndakanzwira tsitsi zita rangu dzvene, imba yaIsraeri rayaiva yamhura pakati pevechirudzi kwavakaendapo.
  21498. Ezk 36:22 Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Handizviiti nekuda kwako, iwe imba yaIsraeri, asi nekuda kwezita rangu dzvene, ramakamhura pakati pevechirudzi kwamakaendako.
  21499. Ezk 36:23 Zvino ndichaita dzvene zita rangu guru, rakamhurwa pakati pevechirudzi, ramakamhura pakati pavo; zvino vechirudzi vachaziva kuti ndiri Jehovha, anoreva Ishe Jehovha, pandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pemeso avo.
  21500. Ezk 36:24 Nokuti ndichakutorai kubva pane vechirudzi, nekukuunganidzai kubva munyika dzose, uye ndichakuunzai kunyika yenyu.
  21501. Ezk 36:25 Ipapo ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, zvino muchava vakachena; kubva patsvina yenyu yose uye kubva pazvifananidzo zvenyu zvose ndichakunatsai.
  21502. Ezk 36:26 Moyo mutsva ndichakupaiwo, nemweya mutsva ndichaisa mukati menyu, uye ndichabvisa moyo webwe kubva panyama yenyu, zvino ndichakupai moyo wenyama.
  21503. Ezk 36:27 Zvino ndichaisa mweya wangu mukati menyu, ndigoita kuti mufambe mumitemo yangu, uye muchachengeta mitongo yangu nekuiita.
  21504. Ezk 36:28 Zvino muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu, uye muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
  21505. Ezk 36:29 Ndichakuponesaiwo kubva patsvina yenyu yose; uye ndichadana zviyo, nekuzviwanza, uye handingaisi nzara pamusoro penyu.
  21506. Ezk 36:30 Zvino ndichawanza chibereko chemuti negoho remunda, kuti musazogamuchirazve kuzoshoorwa kwenzara pakati pevechirudzi.
  21507. Ezk 36:31 Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakashata nezviito zvenyu zvaiva zvisina kunaka, uye muchazvisema pazviso zvenyu nekuda kwezvitadzo zvenyu uye nekuda kwezvinyangadzo zvenyu.
  21508. Ezk 36:32 Handizviiti nekuda kwenyu, anoreva Ishe Jehovha, ngazvizikanwe kwamuri; svodai muve nenyadzi pamusoro penzira dzenyu, imwi imba yaIsraeri.
  21509. Ezk 36:33 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pazuva randinenge ndakunatsai kubva pazvitadzo zvenyu zvose, ndichaitawo kuti maguta agarwe, uye matongo achavakwa.
  21510. Ezk 36:34 Zvino nyika yanga iri dongo icharimwa, payaimbova renje pameso eumwe neumwe anopfuurapo.
  21511. Ezk 36:35 Zvino vachati: Nyika iyi yaiva dongo yava sebindu reEdheni; nemaguta matongo neakaparadzwa neakaputswa ashoshwa, agarwa.
  21512. Ezk 36:36 Ipapo vechirudzi vakasara vakakukombai vachaziva kuti ini Jehovha ndakavaka aiva matongo, nekusima zvaiva zvakaparara. Ini Jehovha ndataura, uye ndichaita.
  21513. Ezk 36:37 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Neizvi ndichakumbirwa neimba yaIsraeri, kuti ndivaitire; ndichavawanza nevanhu semakwai.
  21514. Ezk 36:38 Seboka dzvene, seboka reJerusarema pamitambo yaro yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo azadzwa nemapoka evanhu; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21515. Ezk 37:1 Ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu, ndokundibudisa neMweya [wa]Jehovha, ndokundiisa pakati pemupata; uye waiva uzere nemapfupa.
  21516. Ezk 37:2 Zvino wakandipfuudzisa nepaari kupoteredza kumativi ose; zvino tarira, aiva mazhinji kwazvo pachiso chemupata; uye tarira, akaoma kwazvo.
  21517. Ezk 37:3 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mapfupa awa angararama here? Zvino ndikati: Ishe Jehovha, ndimwi munoziva.
  21518. Ezk 37:4 Wakatizve kwandiri: Porofita pamusoro pemapfupa awa, ugoti kwaari: Imwi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.
  21519. Ezk 37:5 Anoreva seizvi Ishe Jehovha kumapfupa awa: Tarirai, ndichapinzisa mweya mukati menyu, zvino muchararama.
  21520. Ezk 37:6 Zvino ndichaisa marunda pamusoro penyu, nekukwidza nyama pamusoro penyu, nekukufukidzai neganda, nekuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.
  21521. Ezk 37:7 Naizvozvo ndakaporofita sezvandakarairwa; zvino ndakati ndichiporofita, mutinhiro ndokuvapo; zvino tarira, kudengenyeka; mapfupa ndokuswederana, pfupa kupfupa raro.
  21522. Ezk 37:8 Zvino ndichiona, tarira, marunda nenyama zvakakwira pamusoro pawo; ganda ndokuafukidza pamusoro; asi maiva musina mweya maari.
  21523. Ezk 37:9 Ipapo iye wakati kwandiri: Porofitira kumhepo, porofita, mwanakomana wemunhu, uti kumhepo: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere kune ava vakaurawa, kuti vararame.
  21524. Ezk 37:10 Saizvozvo ndakaporofita sezvaakandiraira; mweya ndokupinda maari; iwo ndokurarama, ndokumira netsoka dzawo, hondo huru kwazvo-kwazvo.
  21525. Ezk 37:11 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsraeri. Tarira, vanoti: Mapfupa edu aoma, uye tariro yedu yaparara, tagurwa pachedu.
  21526. Ezk 37:12 Naizvozvo porofita, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichazarura makuva enyu, nekukukwidzisai kubva mumakuva enyu, imwi vanhu vangu, nekukuunzai munyika yaIsraeri.
  21527. Ezk 37:13 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndazarura makuva enyu, ndikakukwidzai kubva mumakuva enyu, imwi vanhu vangu.
  21528. Ezk 37:14 Zvino ndichaisa mweya wangu mamuri, uye muchararama, uye ndichakuisai munyika yenyu; ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakataura uye ndakaita, anoreva Jehovha.
  21529. Ezk 37:15 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  21530. Ezk 37:16 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvitorere rutanda rumwe, ugonyora pamusoro parwo kuti: RwaJudha, uye rwevana vaIsraeri, shamwari dzake; ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti: RwaJosefa, rutanda rwaEfuremu, neimba yose yaIsraeri, shamwari dzake.
  21531. Ezk 37:17 Zvino uhu swededzanise, rumwe kune rumwe kwauri, ruve rutanda rumwe; zvino vuchava rumwe chete muruoko rwako.
  21532. Ezk 37:18 Zvino kana vana vevanhu vako vakataura kwauri vachiti: Haungatizivisi here kuti izvi zvii kwauri?
  21533. Ezk 37:19 Uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nemarudzi aIsraeri, shamwari dzake, uye ndichavaisa pamwe naye, nerutanda rwaJudha, ndigovaita rutanda rumwe; zvino vachava umwe chete muruoko rwangu.
  21534. Ezk 37:20 Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo achava muruoko rwako pamberi pemeso avo.
  21535. Ezk 37:21 Zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichatora vana vaIsraeri kubva pakati pevechirudzi kwavakaendako, uye ndichavaunganidza kudivi rimwe nerimwe, ndigovauisa munyika yavo.
  21536. Ezk 37:22 Zvino ndichavaita rudzi rwumwe chete munyika pamusoro pemakomo aIsraeri; zvino mambo umwe chete achava mambo wevose; uye havachazovizve marudzi maviri, uye havangaparadzaniswizve kuita umambo uvirizve.
  21537. Ezk 37:23 Havangazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo, kana nezvinosemesa zvavo, kana nechipi chezvitadzo zvavo. Asi ndichavaponesa kubva panzvimbo dzavo dzose dzekugara, pavakatadza, uye ndichavanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
  21538. Ezk 37:24 Zvino Dhavhidhi muranda wangu achava mambo pamusoro pavo; uye vose vachava nemufudzi umwe. Vachafambawo mumitongo yangu, nekuchengetedza mitemo yangu, nekuiita.
  21539. Ezk 37:25 Zvino vachagara munyika yandakapa Jakove muranda wangu, maigara madzibaba enyu; zvino vachagaramo, ivo nevana vavo nevana vevana vavo nekusingaperi; zvino muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda wavo nekusingaperi.
  21540. Ezk 37:26 Ndichaitawo sungano yerugare navo; ichava sungano yekusingaperi navo; uye ndichavaisapo, nekuvawanza, nekuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo narinhi.
  21541. Ezk 37:27 Tabhenakeri yanguwo ichava pamwe navo, hongu, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
  21542. Ezk 37:28 Zvino vechirudzi vachaziva kuti ini Jehovha, ndinoita Israeri mutsvene, nzvimbo yangu tsvene painenge iri pakati pavo narinhi.
  21543. Ezk 38:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  21544. Ezk 38:2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuna Gogi, nyika yaMagogi, muchinda ari musoro weMesheki neTubhari, ugoporofita uchipokana naye.
  21545. Ezk 38:3 Uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira ndinopokana newe, iwe Gogi, muchinda ari musoro weMesheki naTubhari.
  21546. Ezk 38:4 Zvino ndichakudzosera, ndigoisa haka mushaya dzako, uye ndichakubudisa, nehondo yako yose, mabhiza nevatasvi vemabhiza, vose vakapfeka nguvo dzakanaka kwazvo, boka guru, vane nhovo huru nenhovo diki, vose vakabata minondo.
  21547. Ezk 38:5 Perisiya, Itiyopiya, nePuti pamwe navo, vose vane nhovo nenguwani.
  21548. Ezk 38:6 Gomeri nemapoka ake ose, imba yaTogarima wekumativi ekumaodzanyemba, nemapoka ake ose, vanhu vazhinji pamwe newe.
  21549. Ezk 38:7 Gadzirira, uzvigadzirire, iwe, neboka rose rakaungana kwauri; zvino uve muchengetedzi kwavari.
  21550. Ezk 38:8 Shure kwemazuva mazhinji uchashanyirwa; mumakore ekupedzisira uchauya munyika kudzoswa kubva kumunondo, kuunganidzwa kubva kuvanhu vazhinji, kupokana nemakomo aIsraeri, aigara ari matongo, asi iyo nyika yakadzoswa kubva kumarudzi, zvino vose vachagara vakachengetedzeka.
  21551. Ezk 38:9 Uye uchakwira ugouya sedutu remhepo, uchava segore kufukidza nyika, iwe nemapoka ako ose, nevanhu vazhinji pamwe newe.
  21552. Ezk 38:10 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvichaitikawo pazuva iroro, zvinhu zvichauya mumurangariro wako, uye uchafunga pfungwa yakashata;
  21553. Ezk 38:11 ugoti: Ndichakwira kunyika ine misha isina kushoshewa, ndichaenda kune vari pazororo, vagere vakatambarara, vose vagere pasina rusvingo, uye vasina zvipfigiso kana masuwo;
  21554. Ezk 38:12 kupamba zvipambwa, nekujimba zvijimbiwa, kutendeusira ruoko rwako pamusoro penzvimbo dziri matongo dzave kugarwa, nepamusoro pevanhu vakaungana kubva kumarudzi, vakawana zvipfuwo nefuma, vagere pakati penyika.
  21555. Ezk 38:13 Shebha, neDhedhani, nevatengeserani veTarishishi, pamwe neshumba diki dzose dzepo, vachati kwauri: Wauya kuzopamba zvipambwa here? Chaunga chako wachiunganidzira kubata chakabatwa here, kuenda nesirivha negoridhe, kutora zvipfuwo nefuma, kupamba zvipambwa zvikuru here?
  21556. Ezk 38:14 Naizvozvo, porofita, mwanakomana wemunhu, uti kuna Gogi: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nezuva iro vanhu vangu Israeri vagara vakachengetedzeka, haungazivi here?
  21557. Ezk 38:15 Zvino uchauya kubva kunzvimbo yako kubuda mumativi ekumaodzanyemba, iwe nevanhu vazhinji pamwe newe, vose vakatasva mabhiza, chaunga chikuru, uye hondo yakasimba.
  21558. Ezk 38:16 Zvino uchakwira wakanangana nevanhu vangu Israeri, segore kunofukidza nyika; zvichaitika pamazuva ekupedzisira; zvino ndichakuunzai kumirisana nenyika yangu, kuti vechirudzi vandizive, pandichaitwa mutsvene mauri, iwe Gogi, pamberi pemeso avo.
  21559. Ezk 38:17 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndiwe here wandakataura panguva dzekare neruoko rwevaranda vangu vaporofita vaIsraeri, vaiporofita mumazuva ayo kwemakore kuti ndichakuuisa kumirisana navo?
  21560. Ezk 38:18 Zvino zvichaitika pazuva iro, pazuva Gogi raachauya naro kurwisa nyika yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha, kupfuta kwangu kuchakwira pachiso changu.
  21561. Ezk 38:19 Nokuti mushanje dzangu, mumoto wehasha dzangu ndataura: Zvirokwazvo nezuva iro kuchava nekudengenyeka kukuru panyika yaIsraeri.
  21562. Ezk 38:20 Zvekuti hove dzegungwa, neshiri dzekumatenga, nemhuka dzesango, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika, nevanhu vose vari pamusoro pechiso chenyika, zvichazununguka pakuvapo kwangu; nemakomo achawisirwa pasi, nemawere achawira pasi, nerusvingo rumwe nerumwe ruchawira pasi.
  21563. Ezk 38:21 Zvino ndichadana munondo kurwisana naye mumakomo angu ose, anoreva Ishe Jehovha; munondo wemunhu umwe neumwe ucharwa nehama yake.
  21564. Ezk 38:22 Zvino ndichamutonga nehosha uye neropa; uye ndichanaisa pamusoro pake, nepamusoro pezvaunga zvake, nepamusoro pemarudzi mazhinji anaye, mvura inokukudza, nechimvuramabwe chikuru, moto nesarufa.
  21565. Ezk 38:23 Saizvozvo ndichazvikurisa, nekuzviita mutsvene, uye ndichazikanwa pamberi pemeso emarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21566. Ezk 39:1 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, porofita uchipokana naGogi, zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, iwe Gogi, muchinda ari musoro weMesheki neTubhari.
  21567. Ezk 39:2 Zvino ndichakudzosera ndigokusiira chikamu chechitanhatu, uye ndichakukwidza kubva kumativi ekumaodzanyemba; uye ndichakuunza pamusoro pemakomo aIsraeri.
  21568. Ezk 39:3 Zvino ndicharova uta hwako kubva muruoko rwako rweruboshwe, nekuwisisa miseve yako kubva muruoko rwako rwerudyi.
  21569. Ezk 39:4 Uchawira pamusoro pemakomo aIsraeri, iwe, nemapoka ako ose, nevanhu vanewe; ndichakupa kushiri dzinodya nyama, shiri dzebapiro ripi neripi, nezvikara zvesango, kuva zvekudya.
  21570. Ezk 39:5 Uchawira pachiso chenyika; nokuti ini ndataura, anoreva Ishe Jehovha.
  21571. Ezk 39:6 Zvino ndichatumira moto kuna Magogi, nekune vakagara vakatambarara pazviwi; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.
  21572. Ezk 39:7 Zvino ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pevanhu vangu Israeri, uye handichazosvibisizve zita rangu dzvene; nemarudzi achaziva kuti ndiri Jehovha, Mutsvene muIsraeri.
  21573. Ezk 39:8 Tarirai, zvauya uye zvaitwa, anoreva Ishe Jehovha; ndiro zuva randataura.
  21574. Ezk 39:9 Nevagere mumaguta aIsraeri vachabuda, vachavesera moto nekupisa zvombo, zvose nhovo diki nenhovo huru, uta nemiseve, netsvimbo dzemumaoko nemapfumo; zvino vachazvipisa nemoto makore manomwe;
  21575. Ezk 39:10 kuti havangatori huni kubva musango, uye havangatemeri pasi kubva mumatondo, nokuti vachavesa moto nezvombo, uye vachapamba vanovapamba, nekubira vanovabira, anoreva Ishe Jehovha.
  21576. Ezk 39:11 Zvino zvichaitika nezuva iro, ndichapa kuna Gogi nzvimbopo yemakuva kwaIsraeri, mupata wevapfuuri kumabvazuva kwegungwa; zvino ichadzivirira vapfuuri; uye ipapo vachaviga Gogi nechaunga chake chose, zvino vachautumidza kuti: Mupata wechaunga chaGogi.
  21577. Ezk 39:12 Zvino imba yaIsraeri ichavaviga, kuti vanatse nyika, mwedzi minomwe.
  21578. Ezk 39:13 Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga; uye zvichava zita kwavari, zuva randicharumbidzwa, anoreva Ishe Jehovha.
  21579. Ezk 39:14 Zvino vachaparadzanisa varume vanogara vachipfuura pakati penyika kunoviga, nevanopfuura, avo vakasara pachiso chenyika, kuti vainatse; pakupera kwemwedzi minomwe vachaongorora.
  21580. Ezk 39:15 Nevanopfuura vanopfuura nemunyika, ndokuona pfupa remunhu, zvino achamisa chiratidzo naro, kusvika vavigi variviga mumupata wechaunga chaGogi.
  21581. Ezk 39:16 Uyewo zita reguta richava Hamona. Saizvozvo vachanatsa nyika.
  21582. Ezk 39:17 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Taura kushiri yebapiro ripi neripi, nekumhuka ipi neipi yesango: Zviunganidzei, muuye, muungane muchibva kumativi ose, kuchibairo changu chandinokubairirai imwi, chibairo chikuru pamusoro pemakomo ekwaIsraeri, kuti mudye nyama nekunwa ropa.
  21583. Ezk 39:18 Muchadya nyama yevane simba, nekunwa ropa remachinda enyika, remakondohwe, remakwayana, nerembudzi, renzombe diki, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
  21584. Ezk 39:19 Muchadya zvakakora kusvika maguta, nekunwa ropa kusvika madhakwa, zvechibairo changu chandakakubairirai.
  21585. Ezk 39:20 Saizvozvo muchaguta patafura yangu nemabhiza nengoro, nevane simba, nevarume vose vehondo, anoreva Ishe Jehovha.
  21586. Ezk 39:21 Zvino ndichamisa kubwinya kwangu pakati pevechirudzi; uye vechirudzi vose vachaona mutongo wangu wandakaita, neruoko rwangu rwandakaisa pakati pavo.
  21587. Ezk 39:22 Naizvozvo imba yaIsraeri ichaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi.
  21588. Ezk 39:23 Zvino vechirudzi vachaziva kuti imba yaIsraeri yakatapwa nekuda kweuipi hwavo; nokuti vakanditadzira, naizvozvo ndakavanza chiso changu kubva kwavari, ndokuvapa muruoko rwevavengi vavo, zvino vakawa nemunondo, vose.
  21589. Ezk 39:24 Ndakavaitira zvinoenderana nekusviba kwavo uye zvinoenderana nezvitadzo zvavo, ndokuvanza chiso changu kubva kwavari.
  21590. Ezk 39:25 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ikozvino ndichadzosa utapwa hwaJakove, nekunzwira tsitsi imba yose yaIsraeri; uye ndichava negodo nezita rangu dzvene;
  21591. Ezk 39:26 vachinge vatakura nyadzi dzavo, nezvitadzo zvavo zvose zvavakanditadzira, pavakagara vakachengetedzeka munyika yavo, uye pasina anotyisa.
  21592. Ezk 39:27 Ndichinge ndavadzosa kubva kuvanhu, nekuvaunganidza kubva kunyika dzevavengi vavo, uye ndanatswa mavari pameso pemarudzi mazhinji;
  21593. Ezk 39:28 ipapo vachaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wavo, ndakaita kuti vaendeswe muutapwa pakati pevechirudzi, asi ndavaunganidza munyika yavo, uye handina kusiyazve umwe wavo ikoko.
  21594. Ezk 39:29 Uye handingazovavanzirizve chiso changu; nokuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.
  21595. Ezk 40:1 Mugore remakumi maviri nemashanu reutapwa hwedu, pakutanga kwegore, neregumi remwedzi, mugore regumi nemana shure kwekurohwa kweguta, pazuva iroro chairo ruoko rwaJehovha rwakava pamusoro pangu, ndokundiunza ipapo.
  21596. Ezk 40:2 Muzviratidzo zvaMwari wakandiunza munyika yaIsraeri, ndokundiisa pagomo refu-refu; uye parutivi rwaro paiva nechakaita sechivakwa cheguta kuchamhembe.
  21597. Ezk 40:3 Zvino wakandiunzako, uye tarira, munhu wekuonekwa kwake kwakaita sekuonekwa kwendarira, ane rwonzi rwefirakisi muruoko rwake, nerutsanga rwekuyeresa; ndokumira pasuwo.
  21598. Ezk 40:4 Zvino munhu uyu wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, ona nemeso ako, uye inzwa nenzeve dzako, uye isa moyo wako pamusoro pezvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridza zvose zvaunoona kuimba yaIsraeri.
  21599. Ezk 40:5 Zvino tarira, kwaiva nerusvingo kunze rwakapoteredza imba kumativi ose; nemuruoko rwemunhu maiva nerutsanga rwekuyeresa rwemakubhiti matanhatu, nekubhiti reupamhi hwechanza; saizvozvo wakayera kufara kwechivakwa, rutsanga rumwe, nekukwirira, rutsanga rumwe.
  21600. Ezk 40:6 Zvino wakauya pasuwo rakatarisa kumabvazuva, ndokukwira nezvikwiriso zvaro, ndokuyera chikumbaridzo chesuwo, rutsanga rumwe pakufara, nechimwe chikumbaridzo, rutsanga rumwe pakufara.
  21601. Ezk 40:7 Nekamuri, rutsanga rumwe pakureba, nerutsanga rumwe pakufara, nepakati pemakamuri, makubhiti mashanu, nechikumbaridzo chesuwo paberere resuwo mukati, rutsanga rumwe.
  21602. Ezk 40:8 Wakayerawo berere resuwo mukati, rutsanga rumwe.
  21603. Ezk 40:9 Zvino wakayera berere resuwo, makubhiti masere, nembiru dzaro, makubhiti maviri; uye berere resuwo raiva mukati.
  21604. Ezk 40:10 Nemakamuri esuwo nechekumabvazuva aiva matatu kuno nematatu uko; ari matatu aiva nechiyero chimwe; nembiru dzaiva nechiyero chimwe kurutivi runo nekurutivi irwo.
  21605. Ezk 40:11 Zvino wakayera kufara kwemukova wesuwo, makubhiti gumi, kureba kwesuwo, makubhiti gumi nematatu.
  21606. Ezk 40:12 Nemuganhu pamberi pemakamuri, kubhiti rimwe, nekubhiti rimwe muganhu kune rwumwe rutivi, nekamuri, makubhiti matanhatu kurutivi rwuno, nemakubhiti matanhatu kurutivi irwo.
  21607. Ezk 40:13 Zvino wakayera suwo kubva padenga rekamuri kusvika padenga rerimwe, kufara makubhiti makumi maviri nemashanu, mukova wakatarisana nemukova.
  21608. Ezk 40:14 Wakaitawo mbiru dzikava makubhiti makumi matanhatu; uye kusvika kumbiru yechivanze kupoteredza suwo kumativi ose.
  21609. Ezk 40:15 Zvino kubva pachiso chesuwo remukova kusvika kuchiso cheberere resuwo remukati, makubhiti makumi mashanu.
  21610. Ezk 40:16 Zvino kwaiva nemahwindo akavharwa pamakamuri, nepambiru dzawo mukati memasuwo kupoteredza kumativi ose; uye saizvozvo pamaberere, nemahwindo kupoteredza nechemukati kumativi ose; nepamusoro pembiru paiva nemichindwe.
  21611. Ezk 40:17 Zvino wakandipinza pachivanze chekunze, uye tarira, makamuri, nepakarongwa nemabwe kuitirwa chivanze kupoteredza kumativi ose; makamuri makumi matatu pamusoro pepakarongwa nemabwe.
  21612. Ezk 40:18 Zvino pakarongwa nemabwe parutivi rwemasuwo mhiri pakatarisana neurefu hwemasuwo paiva nepakarongwa nemabwe pakaderera.
  21613. Ezk 40:19 Zvino wakayera kufara kubva mberi kwesuwo repazasi, mberi kwechivanze chemukati kunze, makubhiti zana nechekumabvazuva uye nechekumaodzanyemba.
  21614. Ezk 40:20 Nesuwo rechivanze chekunze rakatarisa nechekumaodzanyemba, wakayera urefu hwaro, nekufara kwaro.
  21615. Ezk 40:21 Zvino makamuri aro aiva matatu nechekuno nematatu necheuko; nembiru dzawo nemaberere awo zvichitevera chiyero chesuwo rekutanga; urefu hwaro makubhiti makumi mashanu, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.
  21616. Ezk 40:22 Nemahwindo aro, nemaberere aro, nemiti yaro yemichindwe zvichitevera chiyero chesuwo rakatarisa kumabvazuva. Zvino vaikwira mariri nezvitsiko zvinomwe, nemaberere aro aiva pamberi pavo.
  21617. Ezk 40:23 Zvino suwo rechivanze chemukati, mhiri pakatarisana nesuwo kumaodzanyemba nekumabvazuva; iye ndokuyera kubva pasuwo kusvika pasuwo, makubhiti zana.
  21618. Ezk 40:24 Uye wakandiendesa kuchamhembe, zvino tarira, suwo nechekuchamhembe; uye wakayera mbiru dzaro nemaberere aro zvichienderana nezviyero izvi.
  21619. Ezk 40:25 Paiva nemahwindo pariri nepamaberere aro kupoteredza kumativi ose, semahwindo awa; urefu makubhiti makumi mashanu, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.
  21620. Ezk 40:26 Uye kwaiva nezvitsiko zvinomwe zvekukwira kwariri; nemaberere aro pamberi paro; uye raiva nemiti yemichindwe, umwe kurutivi runo neumwe kurutivi urwo, pambiru dzaro.
  21621. Ezk 40:27 Uye kwaiva nesuwo muchivanze chemukati nechekuchamhembe; ndokuyera kubva kusuwo kusvika kusuwo nechekuchamhembe, makubhiti zana.
  21622. Ezk 40:28 Zvino wakandiunza kuchivanze chemukati nesuwo rekuchamhembe; ndokuyera suwo rekuchamhembe zvichienderana nezviyero izvi.
  21623. Ezk 40:29 Nemakamuri aro nembiru dzaro nemaberere aro zvichienderana nezviyero izvi; nemahwindo aiva pariri, nepamaberere aro kupoteredza kumativi ose, makubhiti makumi mashanu kureba, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.
  21624. Ezk 40:30 Nemaberere kupoteredza kumativi ose, makubhiti makumi maviri nemashanu kureba, nekufara makubhiti mashanu.
  21625. Ezk 40:31 Nemaberere aro aiva kuchivanze chekunze; nemiti yemichindwe pambiru dzaro, uye kukwira kwariri kwaiva nezvitsiko zvisere.
  21626. Ezk 40:32 Zvino wakandiunza muchivanze chemukati nechekumabvazuva, ndokuyera suwo zvichienderana nezviyero izvi.
  21627. Ezk 40:33 Nemakamuri aro, nembiru dzaro, nemaberere aro, zvichienderana nezviyero izvi; uye paiva nemahwindo pariri, nepamaberere aro kupoteredza kumativi ose; makubhiti makumi mashanu kureba, nemakubhiti makumi maviri nemashanu kufara.
  21628. Ezk 40:34 Nemaberere aro nechekuchivanze chekunze, nemiti yemichindwe pamusoro pembiru dzaro, kurutivi runo nekurutivi irwo; uye kukwira kwariri kwaiva nezvitsiko zvisere.
  21629. Ezk 40:35 Zvino wakandiunza kusuwo rekumaodzanyemba, ndokuyera zvichienderana nezviyero izvi.
  21630. Ezk 40:36 Makamuri aro, mbiru dzaro, nemaberere aro; nemahwindo aiva pariri kupoteredza kumativi ose; kureba makubhiti makumi mashanu, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.
  21631. Ezk 40:37 Nembiru dzaro dzaiva kuchivanze chekunze; nemiti yemichindwe pambiru dzaro kurutivi runo nekurutivi urwo; uye kukwira kwariri kwaiva zvitsiko zvisere.
  21632. Ezk 40:38 Zvino makamuri nemikova yawo zvaiva pambiru dzemasuwo; ipapo ndipo pavaisuka chipo chinopiswa.
  21633. Ezk 40:39 Zvino muberere resuwo maiva nematafura maviri kurutivi runo nematafura maviri kurutivi irwo, kuuraira pamusoro pawo chipo chinopiswa nechipo chechivi nechipo chechitadzo.
  21634. Ezk 40:40 Nekurutivi kunze pakukwira kuenda kumukova wesuwo rekumaodzanyemba paiva nematafura maviri, nekune rwumwe rutivi rwaiva paberere resuwo paiva nematafura maviri.
  21635. Ezk 40:41 Matafura mana aiva kurutivi rwuno, nematafura mana kurutivi irwo; kurutivi rwesuwo kwaiva nematafura masere pavaiurairapo.
  21636. Ezk 40:42 Zvino matafura mana aiva eibwe rakavezwa echipo chinopiswa, eurefu hwekubhiti nehafu, nekufara kwekubhiti nehafu, nekubhiti rimwe kukwirira; vaiisawo zvombo pamusoro pawo zvavaiuraisa chipo chinopiswa nechibairo.
  21637. Ezk 40:43 Kwaiva nemahaka, aiva neufari hwechanza chimwe, dzakaiswa mukati kupoteredza kumativi ose; uye pamatafura paiva nenyama yechipo.
  21638. Ezk 40:44 Zvino kunze kwesuwo remukati kwaiva nemakamuri evaimbi, muchivanze chemukati, chaiva kurutivi rwesuwo rekumaodzanyemba, kwarakatarisa kuri nechekuchamhembe; rimwe riri kurutivi rwesuwo rekumabvazuva richitarira nechekumaodzanyemba.
  21639. Ezk 40:45 Zvino wakati kwandiri: Kamuri iri, kutarisa kwaro kuri kuchamhembe, ndere vapristi, vachengeti vebasa reimba.
  21640. Ezk 40:46 Uye kamuri kutarisa kwaro kuri kumaodzanyemba, ndere vapristi, vachengeti vebasa rearitari; ivo ndivo vanakomana vaZadhoki pakati pevanakomana vaRevi, vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira.
  21641. Ezk 40:47 Zvino wakayera chivanze, makubhiti zana kureba, nemakubhiti zana kufara, mativi mana akaenzana; nearitari iri pamberi peimba.
  21642. Ezk 40:48 Zvino wakandiunza muberere reimba, ndokuyera mbiru yeberere, makubhiti mashanu kurutivi runo nemakubhiti mashanu kurutivi irwo; nekufara kwesuwo kwaiva makubhiti matatu kurutivi runo nemakubhiti mashanu kurutivi urwo.
  21643. Ezk 40:49 Kureba kweberere kwaiva makubhiti makumi maviri, nekufara makubhiti gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pashongwe paiva pane mbiru, imwe kurutivi runo, neimwe kurutivi irwo.
  21644. Ezk 41:1 Zvino wakandiunza mutembere, ndokuyera mbiru, makubhiti matanhatu kufara kurutivi rwuno, nemakubhiti matanhatu kurutivi irwo, kufara kwetende.
  21645. Ezk 41:2 Nekufara kwegonhi makubhiti gumi, nemativi egonhi makubhiti mashanu kurutivi runo nemakubhiti mashanu kurutivi irwo. Zvino wakayera kureba kwaro, makubhiti makumi mana, nekufara makubhiti makumi maviri.
  21646. Ezk 41:3 Zvino wakapinda nechemukati, ndokuyera mbiru dzemukova, makubhiti maviri, negonhi makubhiti matanhatu, nekufara kwegonhi, makubhiti manomwe.
  21647. Ezk 41:4 Zvino wakayera kureba kwawo, makubhiti makumi maviri, nekufara makubhiti makumi maviri pamberi petembere; ndokuti kwandiri: Iyi itsvene yedzitsvene.
  21648. Ezk 41:5 Zvino wakayera chidziro cheimba, makubhiti matanhatu, nekufara kwekamuri reparutivi, makubhiti mana kupoteredza kumativi ose eimba divi rimwe nerimwe.
  21649. Ezk 41:6 Nemakamuri ekumativi aiva matatu, kamuri reparutivi pamusoro pekamuri reparutivi, akapetwa rwune makumi matatu; zvino akapinda muchidziro chaiva cheimba yemakamuri eparutivi kupoteredza kumativi ose, kuti abatirwe; asi aiva asina kubatirwa pachidziro cheimba.
  21650. Ezk 41:7 Zvino pakava nekukura nekumonereka zvichingokwira nekukwira kuenda kumakamuri ekumativi, nokuti kumonereka kweimba kwakaenderera kuchikwira mativi ose akapoteredza imba; naizvozvo kufara kweimba kwakava pakukwira; naizvozvowo kuchiwedzerawo kubva pasisa kusvika kumusorosa nepakati.
  21651. Ezk 41:8 Ndakaonawo kukwirira kweimba kupoteredza kumativi ose, nheyo dzemakamuri eparutivi, rutsanga rwakazara, makubhiti makuru matanhatu.
  21652. Ezk 41:9 Ukobvu hwechidziro chaiva chekamuri reparutivi kunze, makubhiti mashanu; neyakasara yaiva nzvimbo yemakamuri eparutivi, aiva eimba.
  21653. Ezk 41:10 Zvino pakati pemakamuri paiva neupamhi hwemakubhiti makumi maviri kupoteredza imba kupoteredza kumativi ose.
  21654. Ezk 41:11 Nemagonhi emakamuri eparutivi aiva akatarisa kunzvimbo yakasiiwa, rimwe gonhi rakatarisa kumaodzanyemba, uye rimwe gonhi kuchamhembe, uye kufara kwenzvimbo yakasiiwa kwaiva makubhiti mashanu kupoteredza kumativi ose.
  21655. Ezk 41:12 Maererano nechivakwa chaiva pamberi penzvimbo yakaparadzaniswa, kumucheto kwakatarisa kumavirira, makubhiti makumi manomwe kufara, nechidziro chechivakwa, makubhiti mashanu kukora kupoteredza kumativi ose, nekureba kwacho makubhiti makumi mapfumbamwe.
  21656. Ezk 41:13 Saizvozvo wakayera imba, makubhiti zana kureba, nenzvimbo yakaparadzaniswa, nechivakwa, nezvidziro zvacho, makubhiti zana kureba.
  21657. Ezk 41:14 Nekufara kwechiso cheimba, nekwenzvimbo yakaparadzaniswa wakatarisa kumabvazuva, makubhiti zana.
  21658. Ezk 41:15 Zvino wakayera kureba kwechivakwa mhiri pakatarisana nenzvimbo yakaparadzaniswa yaiva shure kwacho, nemaberere acho kurutivi runo nekurutivi irwo, makubhiti zana, netembere yemukati, nemaberere echivanze.
  21659. Ezk 41:16 Zvikumbaridzo, nemahwindo akavharwa, nemaberere akapoteredza pane zviri zvitatu, mhiri pakatarisana nechikumbaridzo, zvakafukidzwa nematanda kupoteredza kumativi ose, uye kubva pavhu kusvika kumahwindo, nemahwindo akafukidzwa,
  21660. Ezk 41:17 kusvika kumusoro kwegonhi kusvikawo kuimba yemukati, nekunze, nepachidziro chose kupoteredza mukati nekunze kumativi ose, uye nezviyero.
  21661. Ezk 41:18 Zvino kwaiva kwakaitwa makerubhi nemiti yemichindwe, kuti muti wemuchindwe uve pakati pekerubhi nekerubhi, uye kerubhi raiva nezviso zviviri.
  21662. Ezk 41:19 Kuti chiso chemunhu chitarise muti wemuchindwe kurutivi rwuno, nechiso cheshumba diki chitarise kumuti wemuchindwe kurutivi irwo, zvakaitwa mudzimba dzose kupoteredza kumativi ose.
  21663. Ezk 41:20 Kubva pavhu kusvika pamusoro pegonhi pane makerubhi nemiti yemichindwe zvakaitwa, nechidziro chetembere.
  21664. Ezk 41:21 Mbiru dzetembere dzaiva nemativi mana akaenzana, nechiso chenzvimbo tsvene, kuonekwa kwakaita sekuonekwa kwerimwe.
  21665. Ezk 41:22 Aritari yedanda, makubhiti matatu kukwirira, nekureba kwayo makubhiti maviri; uye yaiva nemakona ayo; nekureba kwayo nezvidziro zvayo zvaiva zvematanda. Zvino akati kwandiri: Iyi itafura iri pamberi paJehovha.
  21666. Ezk 41:23 Zvino kwaiva nemagonhi maviri patembere nepanzvimbo tsvene.
  21667. Ezk 41:24 Zvino magonhi aiva nemapapiro maviri, mapapiro maviri anotenderera, maviri pagonhi rimwe, nemapapiro maviri parimwe.
  21668. Ezk 41:25 Zvino kwaiva kwakaitwa paari, pamagonhi etembere, makerubhi nemiti yemichindwe, sezvaiva zvakaitwa pamusoro pezvidziro, nemapuranga akakora pamusoro pechiso cheberere kunze.
  21669. Ezk 41:26 Zvino kwaiva nemahwindo akavharwa nemiti yemichindwe kurutivi runo nekurutivi irwo, pamativi eberere, nemakamuri eparutivi eimba, nemapuranga akakora.
  21670. Ezk 42:1 Zvino wakandibudisira kuchivanze chekunze, [ne]nzira inoenda kumaodzanyemba; ndokundiunza mukamuri raiva mhiri pakatarisana nenzvimbo yakaparadzaniswa, neraiva pamberi pechivakwa wakatarisa kumaodzanyemba.
  21671. Ezk 42:2 Pamberi peurefu hwemakubhiti zana paiva nemukova wekumaodzanyemba, uye kufara makubhiti makumi mashanu.
  21672. Ezk 42:3 Mhiri pakatarisana nemakubhiti makumi maviri echivanze chemukati, uye mhiri pakatarisana nepakarongwa nemabwe paiva pechivanze chekunze, berere rakatarisana neberere, mumitanho mitatu.
  21673. Ezk 42:4 Nepamberi pemakamuri paiva nemufambo wemakubhiti gumi kufara nechemukati, nzira yekubhiti rimwe; nemagonhi awo akatarisa kumaodzanyemba.
  21674. Ezk 42:5 Zvino makamuri ekumusoro aiva mapfupi, nokuti maberere aiva akakwirira kupfuura awa, kupfuura epasi, uye kupfuura repakati-kati pechivakwa.
  21675. Ezk 42:6 Nokuti aiva nemitanho mitatu, asi aiva asina mbiru sembiru dzezvivanze; naizvozvo chivakwa chaiva chakamanikana kupfuura epasi-pasi neepakati-kati kubva muvhu.
  21676. Ezk 42:7 Zvino chidziro chaiva kunze mhiri pakatarisana nemakamuri wakatarisa kuchivanze chekunze, kudivi repamberi remakamuri, kureba kwacho makubhiti makumi mashanu.
  21677. Ezk 42:8 Nokuti kureba kwemakamuri aiva muchivanze chekunze kwaiva makubhiti makumi mashanu; uye tarira, pamberi petembere paiva nemakubhiti zana.
  21678. Ezk 42:9 Zvino kubva pasi pemakamuri awa paiva nemukova kubva kumabvazuva, munhu paanopinda maari kubva kuchivanze chekunze.
  21679. Ezk 42:10 Makamuri aiva muupamhi hwechidziro chechivanze wakatarisa kumabvazuva, mhiri pakatarisana nenzvimbo yakaparadzaniswa, nemhiri pakatarisana nechivakwa.
  21680. Ezk 42:11 Nenzira pamberi pawo yaiva yakaita sekuonekwa kwemakamuri aiva akatarisa kumaodzanyemba, sekureba kwawo, saizvozvo sekufara kwawo, nepakubuda kwawo kose, uye zvichienderana nemarongerwo awo, uye zvichienderana nemagonhi awo.
  21681. Ezk 42:12 Zvino zvichienderana nemikova yemakamuri aiva panzira yekuchamhembe, mukova pamusoro wenzira, nzira pamusoro pechidziro chakaruramana nawo, paunopinda panzira yekumabvazuva.
  21682. Ezk 42:13 Zvino akati kwandiri: Makamuri ekumaodzanyemba nemakamuri ekuchamhembe, aiva pamberi penzvimbo yakaparadzaniswa, ndiwo makamuri matsvene apo mupristi aiswedera kuna Jehovha paaidya zvinhu zvitsvene zvezvitsvene; ipapo vachaisa zvinhu zvitsvene zvezvitsvene, nechipo chechidyiwa, nechipo chechivi, nechipo chechitadzo, nokuti nzvimbo itsvene.
  21683. Ezk 42:14 Pakupinda kwemupristi, ipapo vaiva vasingabudi panzvimbo tsvene kuenda kuchivanze chekunze, asi vachaisamo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokuti itsvene; ndokupfeka dzimwe nguvo, vagoswedera kune zvevanhu.
  21684. Ezk 42:15 Wakati apedza zviyero zveimba yemukati, akandibudisa nenzira yesuwo raiva mberi kwaro rakatarisa kumabvazuva, uye wakaiyera kupoteredza kumativi ose.
  21685. Ezk 42:16 Wakayera rutivi rwemabvazuva nerutsanga rwekuyeresa, tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa, kupoteredza.
  21686. Ezk 42:17 Wakayera rutivi rwemaodzanyemba, tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa, kupoteredza.
  21687. Ezk 42:18 Wakayera rutivi rwechamhembe, tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa.
  21688. Ezk 42:19 Wakatendeukira kurutivi rwekumavirira, akayera tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa.
  21689. Ezk 42:20 Wakaiyera pamativi mana; yaiva nechidziro kupoteredza kumativi ose; kureba mazana mashanu, uye kufara mazana mashanu, kuparadzanisa pakati penzvimbo tsvene nezvisati zviri zvitsvene.
  21690. Ezk 43:1 Zvino wakandipinzisa kusuwo, suwo rakatarisa kumabvazuva.
  21691. Ezk 43:2 Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakauya kuchibva nenzira yekumabvazuva; uye inzwi rake raiva seruzha rwemvura zhinji, nyika ndokupenya nekubwinya kwake.
  21692. Ezk 43:3 Zvino zvaienderana nekuonekwa kwechiratidzo chandakaona, zvichienderana nechiratidzo chandakaona pandakauya kuzoparadza guta; uye zviratidzo zvakaita sechiratidzo chandakaona parwizi Kebhari; ini ndokuwa nechiso changu.
  21693. Ezk 43:4 Kubwinya kwaJehovha ndokupinda mumba nenzira yesuwo raiva rakatarisa nzira yekumabvazuva.
  21694. Ezk 43:5 Zvino Mweya wakandikwidza ndokundiunza muchivanze chemukati; zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba.
  21695. Ezk 43:6 Zvino ndikanzwa umwe achitaura neni kubva mumba; murume ndokumira neni.
  21696. Ezk 43:7 Ndokuti kwandiri: Mwanakomana wemunhu, inzvimbo yechigaro changu cheushe, nenzvimbo yezvitsiko zvetsoka dzangu, pandichagara pakati pevana vaIsraeri nekusingaperi. Zvino imba yaIsraeri haingazosvibisizve zita rangu dzvene, ivo kana madzimambo avo, neufeve hwavo kana nezvitunha zvemadzimambo avo, panzvimbo dzavo dzakakwirira;
  21697. Ezk 43:8 pakumisa kwavo chikumbaridzo chavo nechikumbaridzo changu, negwatidziro ravo pagwatidziro rangu, nechidziro pakati pangu navo; vakasvibisawo zita rangu dzvene nezvinyangadzo zvavo zvavakaita, naizvozvo ndakavapedza mukupfuta kwangu.
  21698. Ezk 43:9 Zvino ngavaise ufeve hwavo nezvitunha zvemadzimambo avo kure neni; ipapo ndichagara pakati pavo nekusingaperi.
  21699. Ezk 43:10 Iwe, mwanakomana wemunhu, ratidza imba yaIsraeri imba iyi, kuti vanyare pamusoro pezvitadzo zvavo; uye ngavayere chipimo.
  21700. Ezk 43:11 Zvino kana vachinyara pamusoro pezvose zvavakaita, uvazivise chimiro cheimba, nekuonekwa kwayo, nenzvimbo dzayo dzekubuda, nenzvimbo dzayo dzekupinda, nezvimiro zvayo zvose, nezvimiso zvayo zvose, nezvimiro zvayo zvose, nemirairo yayo yose, ugonyora pamberi pemeso avo, kuti vachengetedze chimiro chayo chose, nezvimiso zvayo zvose, vagozviita.
  21701. Ezk 43:12 Uyu murairo weimba: Pamusoro penhongonya yegomo, muganhu wayo wose kupoteredza kumativi ose uchava mutsvene-tsvene; tarirai uyu murairo weimba.
  21702. Ezk 43:13 Zvino izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti, kubhiti ikubhiti nekufara kwechanza, nepasi pachava kubhiti, nekufara kubhiti, nemuganhu wayo pamucheto wayo kupoteredza kuchava chanza; zvino uyu uchava musana wearitari.
  21703. Ezk 43:14 Zvino kubva panheyo pavhu kusvika pamuganhu wepasi pachava makubhiti maviri, nekufara kubhiti rimwe, uye kubva pamuganhu mudiki kusvika pamuganhu mukuru pachava makubhiti mana, uye kufara kubhiti.
  21704. Ezk 43:15 Zvino choto chearitari chichava makubhiti mana, uye kubva pachoto chearitari zvichikwira dzichava nyanga ina.
  21705. Ezk 43:16 Zvino choto chearitari chichava makubhiti gumi nemaviri kureba, negumi nemaviri kufara, mativi mana akaenzana pamativi ayo mana.
  21706. Ezk 43:17 Zvino muganhu uchava makubhiti gumi nemana kureba, negumi nemana kufara, pamativi mana ayo; nemupendero kuipoteredza uchava hafu yekubhiti; nechigadziko chayo chichava kubhiti kupoteredza; nemitanho yayo ichatarisa kumabvazuva.
  21707. Ezk 43:18 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Izvi zvimiso zvearitari nezuva ravachaiita, kuti vape chipo chinopiswa pamusoro payo, nekusasa ropa pamusoro payo.
  21708. Ezk 43:19 Zvino uchapa kuvapristi, vaRevhi vari vembeu yaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, anoreva Ishe Jehovha, nzombe diki mhuru yemombe yechipo chechivi.
  21709. Ezk 43:20 Zvino uchatora rimwe reropa rayo ndokuisa panyanga ina dzayo, nepamakona mana emuganhu, nepamupendero kupoteredza; saizvozvo uchainatsa nekuiyananisira.
  21710. Ezk 43:21 Uchatorawo nzombe diki yechipo chechivi, ndokuipisa panzvimbo yakatarwa yeimba, kunze kwenzvimbo tsvene.
  21711. Ezk 43:22 Zvino nezuva rechipiri uchapa mbudzana yembudzi dzisina chipomerwa kuva chipo chechivi; uye vachanatsa aritari, sezvavakanatsa nenzombe diki.
  21712. Ezk 43:23 Kana wapedza kunatsa, uchapa nzombe diki mhuru yemombe isina chipomerwa, negondohwe kubva paboka risina chipomerwa.
  21713. Ezk 43:24 Zvino uchazviswededza pamberi paJehovha; uye vapristi vagokushira munyu pamusoro pazvo, ndokuzvipa kuva chipo chinopiswa kuna Jehovha.
  21714. Ezk 43:25 Mazuva manomwe uchagadzira mbudzi yechipo chechivi zuva rimwe nerimwe; vachagadzirawo nzombe diki mhuru yemombe, negondohwe kubva paboka, zvisina chipomerwa.
  21715. Ezk 43:26 Mazuva manomwe vachayananisira aritari nekuichenura, uye vachazvitsaura.
  21716. Ezk 43:27 Kana mazuva aya apera, zvichati, pazuva rerusere uye zvichienda mberi, vapristi vachaita zvipo zvenyu zvinopiswa pamusoro pearitari, nezvibairo zvenyu zvekuvonga; zvino ndichakugamuchirai, anoreva Ishe Jehovha.
  21717. Ezk 44:1 Zvino wakandidzosa [ne]nzira yesuwo renzvimbo tsvene yekunze, raiva rakatarisa kumabvazuva; uye raiva rakavharwa.
  21718. Ezk 44:2 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Suwo iri richavharwa, haringazarurwi, uye hakuna munhu achapinda naro, nokuti Jehovha Mwari waIsraeri wapinda naro; naizvozvo richavharwa.
  21719. Ezk 44:3 Rive remuchinda, muchinda, iye achagaramo kuti adye chingwa pamberi paJehovha; achapinda nenzira yeberere resuwo, uye achabuda nenzira yaro.
  21720. Ezk 44:4 Zvino wakandiunza nenzira yekusuwo rekumaodzanyemba pamberi peimba; zvino ndakaona, uye tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha. Zvino ndakawira pasi nechiso changu.
  21721. Ezk 44:5 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, isa moyo wako, zvino uone nemeso ako, uye unzwe nenzeve dzako, zvose zvandinoreva kwauri maererano nezvimiso zvose zveimba yaJehovha, uye maererano nemirairo yayo yose; uye isa moyo wako pakupindwa kwemuimba, nepakubudiwa pose penzvimbo tsvene.
  21722. Ezk 44:6 Zvino uchati kuvapanduki, kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvakwana kwamuri, nekuda kwezvinyangadzo zvenyu zvose, imwi imba yaIsraeri!
  21723. Ezk 44:7 Nokuti makapinza vatorwa, vasina kudzingiswa pamoyo, nevasina kudzingiswa panyama, kuti vave munzvimbo yangu tsvene, kuti vaisvibise, imba yangu, pamunopa chingwa changu, mafuta, neropa, uye vachiputsa sungano yangu nekuda kwezvinyangadzo zvenyu zvose.
  21724. Ezk 44:8 Zvino hamuna kuchengetedza zvinhu zvangu zvitsvene, asi makazvimisira vachengeti vezvirindo zvangu munzvimbo yangu tsvene.
  21725. Ezk 44:9 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Hakuna mutorwa, asina kudzingiswa pamoyo, kana asina kudzingiswa panyama, achapinda munzvimbo yangu tsvene, pamutorwa upi neupi ari pakati pevana vaIsraeri.
  21726. Ezk 44:10 Asi vaRevhi vakaenda kure neni, Israeri paakatsauka, vakadzungaira vachibva kwandiri kutevera zvifananidzo zvavo, vachatakurawo uipi hwavo.
  21727. Ezk 44:11 Zvakadaro vachava vashumiri panzvimbo yangu tsvene, munzvimbo dzekutarisira pamasuwo eimba, uye vachashumira muimba; ivo vachauraya chipo chinopiswa nechibairo chevanhu; uye ivo vachamira pamberi pavo kuti vashumire kwavari.
  21728. Ezk 44:12 Nokuti vakashumira kwavari pamberi pezvifananidzo zvavo, nekuva chigumbuso chechitadzo kuimba yaIsraeri, naizvozvo ndavasimudzira ruoko rwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvino vachatakura uipi hwavo.
  21729. Ezk 44:13 Zvino havangaswederi kwandiri kuti vaite basa reupristi kwandiri kana kuswedera kune zvinhu zvangu zvose zvitsvene, kune zvinhu zvitsvene-tsvene, asi vachatakura chinyadzo chavo nezvinyangadzo zvavo zvavakaita.
  21730. Ezk 44:14 Asi ndichavaita vachengetedzi veutariri hweimba, pashumiro yayo yose, nepazvose zvichaitwa mairi.
  21731. Ezk 44:15 Asi vapristi vaRevhi, vanakomana vaZadhoki, vaichengeta utariri hwenzvimbo yangu tsvene, vana vaIsraeri pavakatsauka kubva kwandiri, ivo vachaswedera kwandiri kuti vashumire kwandiri, uye vachamira pamberi pangu kupa kwandiri mafuta neropa, anoreva Ishe Jehovha.
  21732. Ezk 44:16 Ivo vachapinda munzvimbo yangu tsvene, uye ivo vachaswedera kutafura yangu, kuti vandishumire, uye vachachengeta utariri hwangu.
  21733. Ezk 44:17 Zvino zvichaitika, pavachapinda mumasuwo echivanze chemukati, vachafukidzwa nenguvo yemucheka wakapfava, uye hakuna makushe achauya pamusoro pavo, pavanenge vachishumira pamasuwo echivanze chemukati, nemukati.
  21734. Ezk 44:18 Vachava nenguwani dzemucheka wakapfava pamusoro pemusoro wavo, uye vachava nezvikadubura zvemucheka wakapfava pazviuno zvavo; havangazvisungi chiuno nechinhu chinodikitirisa.
  21735. Ezk 44:19 Zvino pavanobuda kuenda kuchivanze chekunze, kuchivanze chekunze kuvanhu, vachabvisa nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene, ndokupfeka dzimwe nguvo, uye havangaiti vanhu vatsvene nenguvo dzavo.
  21736. Ezk 44:20 Zvino havangaveuri musoro wavo, uye havangatenderi mhotsi dzavo dzikure dzirebe; vachangoguririra misoro yavo.
  21737. Ezk 44:21 Zvino mupristi upi neupi haanganwi waini pakupinda kwavo muchivanze chemukati.
  21738. Ezk 44:22 Zvino havangatori chirikadzi kana wakarambiwa kuva vakadzi vavo, asi vachatora mhandara dzembeu yeimba yaIsraeri kana chirikadzi yakambova chirikadzi yemupristi.
  21739. Ezk 44:23 Zvino vachadzidzisa vanhu vangu musiyano pakati pezvitsvene nezvakasvibiswa, nekuvazivisa pakati pezvisakachena nezvakachena.
  21740. Ezk 44:24 Zvino pakupikisana ivo vachamira pamutongo; vachautonga zvichienderana nemitongo yangu; uye vachachengeta mirairo yangu nemitemo yangu pavungano dzangu dzose, uye vachaita masabata angu matsvene.
  21741. Ezk 44:25 Zvino havangasviki pamunhu wakafa kuti vazvisvibise; asi vangazvisvibisa nekuda kwababa, kana nekuda kwamai, kana nekuda kwemwanakomana, kana nekuda kwemwanasikana, nekuda kwehanzvadzikomana, kana nekuda kwehanzvadzisikana asina kumbova nemurume.
  21742. Ezk 44:26 Zvino shure kwekunge anatswa, vachamuverengera mazuva manomwe.
  21743. Ezk 44:27 Zvino pazuva raanoenda kunzvimbo tsvene, kuchivanze chemukati, kunoshumira panzvimbo tsvene, achapa chipo chake chechivi, anoreva Ishe Jehovha.
  21744. Ezk 44:28 Zvino iyi ichava nhaka kwavari: Ndiri nhaka yavo; zvino imwi hamungavapi fuma kwaIsraeri. Ndiri fuma yavo.
  21745. Ezk 44:29 Ivo vachadya chipo chechidyiwa, nechipo chechivi, nechipo chechitadzo; nechinhu chipi nechipi chakatsaurwa kwaIsraeri chichava chavo.
  21746. Ezk 44:30 Nechekutanga chechezvibereko zvose zvekutanga zvezvose, nechipo chose chezvose, kuzvipo zvenyu zvose, zvichava zvemupristi; muchapawo kumupristi zvekutanga zvemukanyiwa wenyu, kuti mugarise ropafadzo mudzimba dzenyu.
  21747. Ezk 44:31 Vapristi havangadyi chipi nechipi chakafa choga kana chakabvamburwa pashiri kana pamhuka.
  21748. Ezk 45:1 Zvino pamuchagova nyika nemujenya kuva nhaka, muchapa chipo kuna Jehovha, nzvimbo tsvene yenyika. Kureba kuchava kureba [kwetsanga] zvuru makumi maviri nemashanu, uye kufara zvuru gumi. Iyi ichava tsvene kumuganhu wose wayo kupoteredza.
  21749. Ezk 45:2 Kune iyi kuchava nenzvimbo tsvene ine mazana mashanu pamwe nemazana mashanu, yakaenzana mativi mana akapoteredza; uye ive bani rine makubhiti makumi mashanu kupoteredza.
  21750. Ezk 45:3 Zvino nechiyero ichi muchayera, kureba kuve zvuru makumi maviri nezvishanu, uye kufara kuve zvuru gumi; nemukati mayo muchava nenzvimbo tsvene, tsvene yedzitsvene.
  21751. Ezk 45:4 Ichava nzvimbo tsvene yenyika; ichava yevapristi, vashumiri venzvimbo tsvene, vanoswedera kuti vashumire Jehovha; zvino ichava kwavari nzvimbo yedzimba, nenzvimbo tsvene yeimba tsvene.
  21752. Ezk 45:5 Zvino urefu hwezvuru makumi maviri neshanu, nekufara kwezvuru makumi maviri neshanu, vaRevhi vashumiri venzvimbo tsvene vachava nazvo, kuva nhaka, makamuri makumi maviri.
  21753. Ezk 45:6 Zvino muchapa nhaka yeguta, zvuru zvishanu kufara, nezvuru makumi maviri nezvishanu kureba, mhiri pakatarisana nechipo chitsvene; ichava yeimba yose yaIsraeri.
  21754. Ezk 45:7 Zvino muchinda achava nerutivi runo nerutivi irwo rwechipo chitsvene, nepanhaka yeguta mberi kwechipo chitsvene, nemberi kwenhaka yeguta, kubva kurutivi rwemavirazuva wakananga kumavirazuva, uye kubva kurutivi rwemabvazuva wakananga kumabvazuva; nekureba kuchanangana neumwe wemigove, kubva pamuganhu wekumavirazuva kusvika kumuganhu wekumabvazuva.
  21755. Ezk 45:8 Maererano nenyika, achava nayo ive nhaka kwaIsraeri; uye machinda angu haangazomanikidzizve vanhu vangu, asi achapa nyika kuimba yaIsraeri zvichienderana nemarudzi avo.
  21756. Ezk 45:9 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvakwana kwandiri, imwi machinda ekwaIsraeri! Bvisai chisimba nekupamba, uye itai mutongo nekururama, mubvise kudzinga kwenyu kuvanhu vangu, anoreva Ishe Jehovha.
  21757. Ezk 45:10 Muchava nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.
  21758. Ezk 45:11 Efa nebhati zvichava chiyero chimwe, kuti bhati ritakure chegumi chehomeri; neefa chegumi chehomeri; chiyero chazvo chichava chehomeri.
  21759. Ezk 45:12 Zvino shekeri richava magera makumi maviri; mashekeri makumi maviri, mashekeri makumi maviri nemashanu, mashekeri gumi nemashanu, achava mane renyu.
  21760. Ezk 45:13 Ichi chipo chamuchapa: Chetanhatu cheefa yehomeri chegorosi; uye muchapa chetanhatu cheefa yehomeri chebhari.
  21761. Ezk 45:14 Maererano nechimiso chemafuta, bhati remafuta, richapa chegumi chebhati pakori, homeri yemabhati gumi, nokuti mabhati gumi ihomeri.
  21762. Ezk 45:15 Uye gwayana rimwe paboka remakwai, pamazana maviri, panzvimbo ine mvura yaIsraeri, rive chipo chechidyiwa nechipo chinopiswa nechipo cherugare, kuvayananisira, anoreva Ishe Jehovha.
  21763. Ezk 45:16 Vanhu vose venyika vachava pachipo ichi kuitira muchinda muIsraeri.
  21764. Ezk 45:17 Zvino zvichava pamusoro pemuchinda kupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvezvidyiwa nezvipo zvezvinwiwa, pamabiko, nepakugara kwemwedzi, nepamasabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Iye achagadzira chipo chechivi nechipo chechidyiwa nechipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa, kuyananisira imba yaIsraeri.
  21765. Ezk 45:18 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Mumwedzi wekutanga, nerekutanga remwedzi, uchatora nzombe diki mhuru yemombe isina chaingapomerwa, ndokunatsa nzvimbo tsvene.
  21766. Ezk 45:19 Zvino mupristi achatora paropa rechipo chechivi, ndokuisa pamagwatidziro eimba, nepamakona mana emucheto wearitari, nepagwatidziro resuwo rechivanze chemukati.
  21767. Ezk 45:20 Zvino uchaita saizvozvo nerechinomwe remwedzi nekuda kweumwe neumwe anotadza, uye nekuda kwechituta; saizvozvo uchayananisira imba.
  21768. Ezk 45:21 Mumwedzi wekutanga, nezuva regumi nemana remwedzi, muchava nepasika, mabiko emazuva manomwe; chingwa chisina kuviriswa chichadyiwa.
  21769. Ezk 45:22 Nepazuva iro muchinda achazvigadzirira iye nevanhu vose venyika nzombe diki, ive chipo chechivi.
  21770. Ezk 45:23 Zvino mazuva manomwe emabiko achagadzira chipo chinopiswa kuna Jehovha, nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe, zvisina chazvingapomerwa, zuva rimwe nerimwe, mazuva manomwe, nechipo chechivi chembudzana yembudzi, zuva rimwe nerimwe.
  21771. Ezk 45:24 Zvino achagadzira chipo chechidyiwa, efa panzombe diki, neefa pagondohwe, nehini yemafuta paefa.
  21772. Ezk 45:25 Mumwedzi wechinomwe, nezuva regumi nemashanu remwedzi, uchaita zvakafanana neizvi pamabiko, mazuva manomwe, zvichienderana nechipo chechivi, zvichienderana nechipo chinopiswa, uye zvichienderana nechipo chechidyiwa, uye zvichienderana nemafuta.
  21773. Ezk 46:1 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Suwo rechivanze chemukati rakatarira nechekumabvazuva richavharika mazuva matanhatu ekushanda; asi nezuva resabata richazarurwa; uye nezuva rekugara kwemwedzi richazarurwa.
  21774. Ezk 46:2 Zvino muchinda achapinda nenzira yeberere resuwo kunze, uye achamira pagwatidziro resuwo. Zvino vapristi vachagadzira chipo chake chinopiswa nezvipo zvake zvekuyananisa; uye achashumira pachikumbaridzo chesuwo; ipapo achabuda; asi suwo haringavharwi kusvika madekwani.
  21775. Ezk 46:3 Saizvozvo vanhu venyika vachashumira pamukova wesuwo iri, pamasabata nepakugara kwemwedzi, pamberi paJehovha.
  21776. Ezk 46:4 Zvino chipo chinopiswa muchinda chaachapa kuna Jehovha pazuva resabata chichava makwayana matanhatu asina chaangapomerwa negondohwe risina charingapomerwa.
  21777. Ezk 46:5 Zvino chipo chechidyiwa chichava efa pagondohwe, nechipo chechidyiwa pamakwayana zvichava chipo cheruoko rwake, nemafuta, hini paefa.
  21778. Ezk 46:6 Zvino pazuva rekugara kwemwedzi kuchava nenzombe diki mhuru yemombe isina chaingapomerwa, nemakwayana matanhatu, negondohwe; zvichava zvisina chazvingapomerwa.
  21779. Ezk 46:7 Zvino achagadzira chipo chechidyiwa, efa panzombe diki, neefa pagondohwe, nepamakwayana zvichienderana neruoko rwake zvarwuchasvikira, nemafuta, hini paefa.
  21780. Ezk 46:8 Zvino muchinda paachapinda, achaenda nenzira yeberere resuwo, uye achabuda nenzira yaro.
  21781. Ezk 46:9 Asi vanhu venyika pavachauya pamberi paJehovha pamabiko akatarwa: Uyo anopinda nenzira yesuwo rekumaodzanyemba kunoshumira achabuda nenzira yesuwo rekuchamhembe; uye uyo anopinda nenzira yesuwo rekuchamhembe achabuda nenzira yesuwo rekumaodzanyemba; haangadzokeri nenzira yesuwo raakapinda naro, asi achabuda nemhiri kwakatarisana naro.
  21782. Ezk 46:10 Zvino muchinda achapinda pakati pavo pavanopinda; nepavanobuda achabuda.
  21783. Ezk 46:11 Nepamabiko nepamitambo yakatarwa chipo chechidyiwa chichava efa panzombe diki, neefa pagondohwe, nepamakwayana chipo cheruoko rwake, nemafuta, hini paefa.
  21784. Ezk 46:12 Zvino muchinda paachagadzira chipo chinopiswa chekuzvidira kana zvipo zvekuyananisa zvekuzvidira kuna Jehovha, umwe achamuzarurira suwo rakatarira nechekumabvazuva; zvino achagadzira chipo chake chinopiswa nezvipo zvake zvekuyananisa sezvaakaita pazuva resabata; ipapo achabuda, uye shure kwekubuda kwake achavhara suwo.
  21785. Ezk 46:13 Zvino uchagadzira gwayana rine gore rimwe risina charingapomerwa kuva chipo chinopiswa kuna Jehovha zuva rimwe nerimwe. Ucharigadzira mangwanani oga-oga.
  21786. Ezk 46:14 Zvino ucharigadzirira chipo chechidyiwa mangwanani oga-oga, chetanhatu cheefa, nechetatu chehini yemafuta, kunyorovesa upfu hwakatsetseka, chipo chechidyiwa kuna Jehovha, zvimiso zvinogara nekusingaperi.
  21787. Ezk 46:15 Vachagadzira gwayana, nechipo chechidyiwa, nemafuta, mangwanani oga-oga, chipo chinopiswa chinoenderera.
  21788. Ezk 46:16 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Kana muchinda akapa chipo kune upi wevanakomana vake, inhaka yake, ichava yevanakomana vake; ifuma yavo panhaka.
  21789. Ezk 46:17 Asi kana akapa chipo chenhaka yake kune umwe wevaranda vake, chichava chake kusvika pagore resununguro; pashure chichadzokera kumuchinda; zvirokwazvo inhaka yake; vanakomana vake, ivo vachava nayo.
  21790. Ezk 46:18 Uye muchinda haangatori panhaka yevanhu, kuvamanikidza kubva pafuma yavo; achapa vanakomana vake nhaka kubva pafuma yake; kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa umwe neumwe kubva pafuma yake.
  21791. Ezk 46:19 Zvino wakandipinza nepamukova waiva parutivi rwesuwo kuenda kumakamuri matsvene kuvapristi, aiva akatarira nechekumaodzanyemba; zvino tarira, kwaiva nenzvimbo kumativi maviri nechekumavirira.
  21792. Ezk 46:20 Zvino wakati kwandiri: Iyi inzvimbo vapristi pavachabikira chipo chechitadzo nechipo chechivi, pavachabhekera chipo chechidyiwa, kuti varege kutakura kubuda kuchivanze chekunze, kuita vanhu vatsvene.
  21793. Ezk 46:21 Zvino wakandibudisira kuchivanze chekunze, ndokundipfuudza nepamakona mana echivanze; zvino tarira, chivanze pakona yechivanze, nechivanze pakona yechivanze.
  21794. Ezk 46:22 Pamakona mana echivanze paiva nezvivanze zvakabatanidzwa, makubhiti makumi mana kureba, nemakumi matatu kufara; awa makona mana ane chiyero chimwe.
  21795. Ezk 46:23 Zvino kwaiva nemutsara wechivakwa kupoteredza paari, kupoteredza ari mana; uye kwakaitwa zvoto zvekubikira muzasi memitsara kupoteredza.
  21796. Ezk 46:24 Zvino wakati kwandiri: Idzi dzimba dzekubikira, vashumiri veimba pavachabikira chibairo chevanhu.
  21797. Ezk 47:1 Pashure wakandiunza zvekare kumukova weimba, zvino tarira, mvura dzaibuda kubva pasi pechikumbaridzo cheimba nechekumabvazuva; nokuti mberi kweimba kwaiba nechekumabvazuva; uye mvura dzaiburuka kubva pasi kubva kurutivi rwekurudyi rweimba, kubva kuchamhembe kwearitari.
  21798. Ezk 47:2 Zvino wakandibudisa nenzira yesuwo nechekumaodzanyemba, ndokundipotesa nenzira yekunze kusvika kusuwo rekunze, nenzira yakatarira nechekumabvazuva. Zvino tarira kwaiyerera mvura kurutivi rwerudyi.
  21799. Ezk 47:3 Pakubuda kwemurume kumabvazuva waiva nerwonzi muruoko rwake; wakayera makubhiti churu, ndokundipfuudza nemumvura zhinji, mvura zhinji yaisvika kuzviziso zvemakumbo.
  21800. Ezk 47:4 Zvino wakayera churu, ndokundipfuudza nemumvura zhinji, mvura zhinji yaisvika kumabvi. Zvino wakayera churu, ndokundipfuudza; mvura zhinji yaisvika kuchiuno.
  21801. Ezk 47:5 Zvino wakayera churu; rwizi rwandaiva ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura zhinji yaiva yasimuka, mvura zhinji yaungashambiramo, rwizi rwusingayambukiki.
  21802. Ezk 47:6 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, waona here? Ipapo wakandiunza ndokundidzosa kumahombekombe erwizi.
  21803. Ezk 47:7 Pakudzoka kwangu, tarira, pamahombekombe erwizi miti mizhinji kwazvo kurutivi runo nekurutivi irwo.
  21804. Ezk 47:8 Zvino akati kwandiri: Mvura zhinji iyi inobuda kunanga kunyika yekumabvazuva, uye inoburukira kurenje, ndokuenda kugungwa; paichadirwa mugungwa, mvura zhinji icharapiwa.
  21805. Ezk 47:9 Zvino zvichaitika, chisikwa chipi nechipi chipenyu, chinokambaira, kupi nekupi nzizi mbiri padzichasvika, chichararama, uye kuchava nehove zhinji kwazvo, nokuti mvura zhinji iyi ichasvikapo, nokuti icharapiwa, nokuti kuchararama zvose panosvikapo rwizi.
  21806. Ezk 47:10 Zvino zvichaitika, varedzi vehove vachamira pedo narwo kubva paEni-Gedhi kusvikawo paEni-Egiraimi; pachava pekuteya mimbure; hove dzavo dzichaenderana nemarudzi adzo, sehove dzegungwa guru, dzakawanda kwazvo.
  21807. Ezk 47:11 Asi nzvimbo dzarwo dzematope nemachakwi arwo hazvingarapiwi; zvichapiwa kuva munyu.
  21808. Ezk 47:12 Zvino parwizi, pamusoro pemahombekombe arwo, parutivi runo neparutivi urwo, pachakura miti yose yekudya, yeshizha rayo risingabvuruvari, nechibereko chayo hachingapedzwi; ichabereka chibereko chitsva zvichienderana nemwedzi yayo; nokuti mvura dzayo ndidzo dzakabuda kubva munzvimbo tsvene; zvino muchero wayo uchava wekudya, neshizha rayo rekurapa.
  21809. Ezk 47:13 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uyu uchava muganhu wamuchagara nhaka yenyika zvichienderana nemarudzi gumi nemaviri aIsraeri; Josefa achava nemigove miviri.
  21810. Ezk 47:14 Zvino muchaigara nhaka, umwe seumwe, yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kumadzibaba enyu. Zvino nyika iyi ichawira kwamuri ive nhaka.
  21811. Ezk 47:15 Zvino uyu uchava muganhu wenyika: Nechekurutivi rwekumaodzanyemba, kubva pagungwa guru, nzira yeHetironi, pakupinda paZedhadhi;
  21812. Ezk 47:16 Hamati, Bherota, Shibhiraimi, riri pakati pemuganhu weDhamasiko nemuganhu weHamati; Hazari-Hatikoni, riri pamuganhu weHaurani.
  21813. Ezk 47:17 Nemuganhu kubva kugungwa uchava Hazari-Enoni, muganhu weDhamasiko; nekumaodzanyemba wakatarira kumaodzanyemba, nemuganhu weHamati. Ndirwo rutivi rwekumaodzanyemba.
  21814. Ezk 47:18 Zvino muchayera rutivi rwekumabvazuva kubva pakati peHaurani, nekubva pakati peDhamasiko, nekubva pakati peGiriyadhi, nekubva pakati penyika yaIsraeri, Joridhani kubva pamuganhu kusvika pagungwa rekumabvazuva. Zvino urwu rutivi rwekumabvazuva.
  21815. Ezk 47:19 Nerutivi rwekuchamhembe nechekuchamhembe, kubva paTamari kusvika kumvura zhinji yeMeribathi-Kadheshi, parwizi kusvika pagungwa guru, nerutivi rekuchamhembe nechekuchamhembe.
  21816. Ezk 47:20 Nerutivi rwekumavirira, gungwa guru, kubva pamuganhu kusvika mhiri pakatarisana nepakupinda paHamati. Urwu rutivi rwemavirazuva.
  21817. Ezk 47:21 Saizvozvo muchazviganhurira nyika iyi zvichienderana nemarudzi aIsraeri.
  21818. Ezk 47:22 Zvino zvichaitika, muchaiganhura nemujenya kuva nhaka kwamuri, nekuvatorwa vachagara pakati penyu, vachabereka vana pakati penyu. Zvino vachava kwamuri sevakaberekerwa munyika pakati pevana vaIsraeri; vachawira munhaka pamwe nemwi pakati pemarudzi aIsraeri.
  21819. Ezk 47:23 Zvino zvichaitika parudzi mutorwa paachagara, vachamupapo nhaka yake, anoreva Ishe Jehovha.
  21820. Ezk 48:1 Zvino awa ndiwo mazita emarudzi: Kubva kumagumo ekumaodzanyemba kuenda kumucheto wenzira yeHetironi kusvika pakupinda paHamati, Hazari-Enani, muganhu weDhamasiko, nechekumaodzanyemba kusvika pamucheto weHamati; nokuti awa mativi ake kumabvazuva [ne]kumavirazuva, [mugove] umwe [wa]Dhani.
  21821. Ezk 48:2 Zvino pamuganhu waDhani, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waAsheri.
  21822. Ezk 48:3 Zvino pamuganhu waAsheri, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvikawo kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waNafutari.
  21823. Ezk 48:4 Nepamuganhu waNafutari, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waManase.
  21824. Ezk 48:5 Nepamuganhu waManase, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waEfuremu.
  21825. Ezk 48:6 Nepamuganhu waEfuremu, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvikawo kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waRubheni.
  21826. Ezk 48:7 Nepamuganhu waRubheni, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waJudha.
  21827. Ezk 48:8 Nepamuganhu waJudha, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, chichava chipo chamuchapa, tsanga zvuru makumi maviri neshanu pakufara, uye pakureba seumwe wemigove, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva; uye nzvimbo tsvene ichava pakati pawo.
  21828. Ezk 48:9 Chipo chamuchapa kuna Jehovha chichava tsanga zvuru makumi maviri neshanu pakureba, uye zvuru gumi pakufara.
  21829. Ezk 48:10 Zvino pazviri pachava nechipo chitsvene kuvapristi, nechekumaodzanyemba zvuru makumi maviri nezvishanu kureba, uye nechekumavirazuva zvuru gumi pakufara, uye nechekumabvazuva zvuru gumi pakufara, uye nechekuchamhembe zvuru makumi maviri nezvishanu pakureba; uye nzvimbo tsvene yaJehovha ichava pakati payo.
  21830. Ezk 48:11 Chichava chevapristi vakaitwa vatsvene pavanakomana vaZadhoki, ivo vakachengeta chimiso changu, vasina kutsauka vana vaIsraeri pavakarasika, vaRevhi sezvavakarasika.
  21831. Ezk 48:12 Uye chipo chenyika chinopiwa kuva kwavari chinhu chitsvene-tsvene pamuganhu wevaRevhi.
  21832. Ezk 48:13 Nemhiri pakatarisana nemuganhu wevapristi vaRevhi vachava neurefu hwezvuru makumi maviri nezvishanu, uye zvuru gumi kufara; kureba kose zvuru makumi maviri nezvishanu, nekufara zvuru gumi.
  21833. Ezk 48:14 Zvino havangatengesi kubva pairi, uye havangatsinhanisi, uye havangapfuudzi zvibereko zvekutanga zvenyika, nokuti zvitsvene kuna Jehovha.
  21834. Ezk 48:15 Zvino zvuru zvishanu zvinosara pakufara mhiri pakatarisana nezvuru makumi maviri nezvishanu, zvichava zvisiri zvitsvene zveguta, kuva pekugara nepemafuro; uye guta richava pakati pazvo.
  21835. Ezk 48:16 Zvino izvi zvichava zviyero zvacho: Rutivi rwekumaodzanyemba zvuru zvina nemazana mashanu, nerutivi rwekuchamhembe zvuru zvina nemazana mashanu, nekurutivi rwekumabvazuva zvuru zvina nemazana mashanu, nerutivi rwekumavirazuva zvuru zvina nemazana mashanu.
  21836. Ezk 48:17 Zvino mafuro eguta achava nechekumaodzanyemba mazana maviri nemakumi mashanu, nekuchamhembe mazana maviri nemakumi mashanu, nekumabvazuva mazana maviri nemakumi mashanu, nekumavirazuva mazana maviri nemakumi mashanu.
  21837. Ezk 48:18 Zvino zvakasara pakureba pakatarisana nechipo chitsvene zvichava zvuru gumi kumabvazuva, nezvuru gumi kumavirazuva; uye zvichatarisana nechipo chitsvene. Nezvibereko zvazvo zvichava zvekudya zvevashandiri veguta.
  21838. Ezk 48:19 Zvino vashandiri veguta vacharishandira kubva kumarudzi ose aIsraeri.
  21839. Ezk 48:20 Chipo chose chichava zvuru makumi maviri nezvishanu, nezvuru makumi maviri nezvishanu; muchapa chipo chitsvene chakaenzana mativi mana, pamwe chete nenhaka yeguta.
  21840. Ezk 48:21 Zvino zvakasara zvichava zvemuchinda, kurutivi runo nekurutivi irwo rwechipo chitsvene nerwenhaka yeguta; pamberi pezvuru makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganhu wekumabvazuva, nekumavirazuva pakatarisana nemberi kwezvuru makumi maviri nezvishanu kumuganhu wekumavirazuva, mhiri pakatarisana nemigove yemuchinda; uye chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvichava pakati pazvo.
  21841. Ezk 48:22 Uye kubva panhaka yevaRevhi, nekubva panhaka yeguta, zviri pakati pezvemuchinda, pakati pemuganhu waJudha nemuganhu waBhenjamini, zvichava zvemuchinda.
  21842. Ezk 48:23 Maererano neakasara pamarudzi: Kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, Bhenjamini achava nemugove umwe.
  21843. Ezk 48:24 Nepamuganhu waBhenjamini, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waSimioni.
  21844. Ezk 48:25 Nepamuganhu waSimioni, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waIsasikari.
  21845. Ezk 48:26 Nepamuganhu waIsasikari, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waZebhuruni.
  21846. Ezk 48:27 Nepamuganhu waZebhuruni, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waGadhi.
  21847. Ezk 48:28 Nepamuganhu waGadhi, kurutivi rwekuchamhembe, nechekuchamhembe, muganhu uchava paTamari kusvika kumvura zhinji yeMeribhati-Kadheshi, kurukova, kusvika kugungwa guru.
  21848. Ezk 48:29 Ndiyo nyika yamuchagova nemijenya kumarudzi aIsraeri kuva nhaka, uye iyi ndiyo migove yavo, anoreva Ishe Jehovha.
  21849. Ezk 48:30 Zvino awa ndiwo mabudiro emuguta kurutivi rwekumaodzanyemba; zviyero zvuru zvina nemazana mashanu.
  21850. Ezk 48:31 Nemasuwo eguta achatevera mazita emarudzi aIsraeri; masuwo matatu nechekumaodzanyemba, suwo rimwe raRubheni, suwo rimwe raJudha, suwo rimwe raRevhi.
  21851. Ezk 48:32 Neparutivi rwekumabvazuva, zvuru zvina nemazana mashanu, nemasuwo matatu; uye suwo rimwe raJosefa, suwo rimwe raBhenjamini, suwo rimwe raDhani.
  21852. Ezk 48:33 Nekurutivi rwekuchamhembe, zviyero zvuru zvina nemazana mashanu, nemasuwo matatu; suwo rimwe raSimioni, suwo rimwe raIsasikari, suwo rimwe raZebhuruni.
  21853. Ezk 48:34 Rutivi rwekumavirazuva, zvuru zvina nemazana mashanu; masuwo aro matatu; suwo rimwe raGadhi, suwo rimwe raAsheri, suwo rimwe raNafutari.
  21854. Ezk 48:35 Kupoteredza kwaiva zvuru gumi nezvisere. Zvino zita reguta kubva pazuva iro richava: Jehovha ari pano
  21855. Dan 1:1 Mugore rechitatu rekutonga kwaJehoyakimu mambo waJudha kwakasvika Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paJerusarema ndokurikomba.
  21856. Dan 1:2 Zvino Ishe wakapa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwe nechikamu chemidziyo yeimba yaMwari, zvaakatakurira kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, ndokuunza midziyo muimba yefuma yamwari wake.
  21857. Dan 1:3 Zvino mambo wakataura kuna Ashipenazi, mutariri wevatenwa vake, kuti aunze vamwe kuvana vaIsraeri, nekumbeu yamambo, nekumachinda;
  21858. Dan 1:4 majaya asina chipomerwa chipi nechipi maari, asi vakanaka pachimiro, uye mhare pauchenjeri hwose, uye vane ruzivo rweruzivo, uye vanonzwisisa uchenjeri, uye vane kukwanisa kumira pamuzinda wamambo, uye vavangadzidzisa rugwaro nerurimi rwevaKaradhiya.
  21859. Dan 1:5 Zvino mambo wakavamisira chinhu chezuva nezuva racho chechikamu chekudya kwamambo, nechewaini yekunwa kwake, saizvozvo achivariritira makore matatu, kuti pakupera kwawo vangamira pamberi pamambo.
  21860. Dan 1:6 Zvino pakati pavo kuvana vaJudha paiva naDhaniyeri, Hananiya, Mishaeri, naAzariya.
  21861. Dan 1:7 Zvino muchinda wevatenwa wakavatumidza mazita; wakatumidza Dhaniyeri kuti Bheriteshazari, naHananiya kuti Shadhireki, naMishaeri kuti Meshaki, naAzariya kuti Abhedhinego.
  21862. Dan 1:8 Asi Dhaniyeri wakazvipira mumoyo make kuti haangazvisvibisi nemugove wezvekudya zvamambo kana newaini yekunwa kwake; naizvozvo wakakumbira kumuchinda wevatenwa kuti asazvisvibisa.
  21863. Dan 1:9 Zvino Mwari akasvitsa Dhaniyeri panyasha nepaunyoro pamberi pemuchinda wevatenwa.
  21864. Dan 1:10 Muchinda wevatenwa ndokuti kuna Dhaniyeri: Ndinotya ishe wangu mambo, iye wakaraira kudya kwenyu nekunwa kwenyu; nokuti achaonerei zviso zvenyu zvakasuruvara kupfuura zvemajaya ezera renyu? Naizvozvo muchaisa musoro wangu munjodzi kuna mambo.
  21865. Dan 1:11 Zvino Dhaniyeri wakati kumutariri, muchinda wevatenwa waiva amiswa pamusoro paDhaniyeri, Hananiya, Mishaeri naAzariya:
  21866. Dan 1:12 Edzai henyu varanda venyu mazuva gumi; zvino ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe.
  21867. Dan 1:13 Zvino zviso zvedu ngazvitariswe pamberi penyu, nezviso zvevana vanodya mugove wezvekudya zvamambo; uye itai nevaranda venyu sezvaunoona.
  21868. Dan 1:14 Zvino wakavateerera panyaya iyi ndokuvaedza mazuva gumi.
  21869. Dan 1:15 Zvino pakupera kwemazuva gumi, zviso zvavo zvakaonekwa zvanaka uye zvakafuta panyama kupfuura majaya ose aidya mugove wezvekudya zvamambo.
  21870. Dan 1:16 Naizvozvo mutariri wakabvisa mugove wezvekudya zvavo, newaini yekunwa kwavo, ndokuvapa miriwo.
  21871. Dan 1:17 Maererano nemajaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nemhare pamagwaro ose neuchenjeri. Zvino Dhaniyeri wainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto.
  21872. Dan 1:18 Zvino pakupera kwemazuva mambo aakati auye navo, ipapo muchinda wevatenwa wakavaunza pamberi paNebhukadhinezari.
  21873. Dan 1:19 Mambo ndokutaurirana navo. Zvino pakati pavo vose hapana kuwanikwa wakaita saDhaniyeri, Hananiya, Mishaeri, naAzariya. Naizvozvo vakamira pamberi pamambo.
  21874. Dan 1:20 Zvino nyaya dzose dzeuchenjeri nekunzwisisa, mambo dzaakabvunza kwavari, akavawana vachipfuura kagumi vemasaramusi vose nen’anga vaiva paushe hwake hwose.
  21875. Dan 1:21 Dhaniyeri akavapo kusvika pagore rekutanga ramambo Koreshi.
  21876. Dan 2:1 Zvino mugore rechipiri rekutonga kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari wakarota zviroto; mweya wake ukatambudzika mazviri, hope dzake ndokubva kwaari.
  21877. Dan 2:2 Mambo ndokuti kudanwe vemasaramusi nen’anga nevaroyi nevaKaradhiya, kuti vaudze mambo zviroto zvake. Zvino vakauya ndokumira pamberi pamambo.
  21878. Dan 2:3 Zvino mambo wakati kwavari: Ndarota chiroto, uye mweya wangu watambudzikira kuziva chiroto.
  21879. Dan 2:4 Zvino vaKaradhiya vakataura kuna mambo nechiSiriya: Mambo ngaararame nekusingaperi! Udzai varanda venyu chiroto, isu tigozivisa dudziro.
  21880. Dan 2:5 Mambo wakapindura ndokuti kuvaKaradhiya: Chinhu chabva kwandiri; kana mukasandizivisa chiroto nedudziro yacho, muchaguranyiwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa dutu remupfudze.
  21881. Dan 2:6 Asi kana mukazivisa chiroto nedudziro yacho, muchagamuchira kwandiri zvipo nemibairo nerukudzo rukuru; naizvozvo ndizivisei chiroto nedudziro yacho.
  21882. Dan 2:7 Vakapindura rwechipiri vachiti: Mambo ngaaudze varanda vake chiroto chake, isu tigozivisa dudziro yacho.
  21883. Dan 2:8 Mambo wakapindura ndokuti: Ini ndinoziva zvirokwazvo kuti imwi muri kutenga nguva, nokuti munoona kuti chinhu chabva kwandiri.
  21884. Dan 2:9 Asi kana mukasazivisa chiroto, pane mutemo umwe wenyu; nokuti magadzira shoko rinoreva nhema uye rakaora kutaura pamberi pangu, kusvika nguva yashandurwa; naizvozvo ndiudzei chiroto, zvino ndichaziva kuti munondizivisa dudziro yacho.
  21885. Dan 2:10 VaKaradhiya vakapindura pamberi pamambo ndokuti: Hakuna munhu panyika anogona kuzivisa nyaya yamambo; naizvozvo hakuna mambo, ishe, kana mubati, angabvunza chinhu chakadai kumuchenjeri kana n’anga kana muKaradhiya upi neupi.
  21886. Dan 2:11 Uye chinhu chinorema mambo chaanobvunza, uye hakuna umwe anogona kuchizivisa pamberi pamambo kunze kwevamwari, avo ugaro hwavo husiri panyama.
  21887. Dan 2:12 Nekuda kweizvi mambo wakatsamwa ndokupfuta kwazvo, ndokuraira kuuraya vachenjeri vose veBhabhironi.
  21888. Dan 2:13 Naizvozvo chirevo chakabuda kuti vachenjeri vaurawe; vakatsvakawo Dhaniyeri neshamwari dzake kuti vaurawe.
  21889. Dan 2:14 Zvino Dhaniyeri wakadzosa zano neuchenjeri kuna Arioki mukuru wevachengeti vamambo, waiva abuda kunouraya vachenjeri veBhabhironi.
  21890. Dan 2:15 Wakapindura ndokuti kuna Arioki mukuru wamambo: Chakurumidzirei chirevo ichi kubva kuna mambo? Arioki ndokuzivisa nyaya kuna Dhaniyeri.
  21891. Dan 2:16 Zvino Dhaniyeri wakapinda ndokukumbira kuna mambo kuti amupe nguva kuti agozivisa mambo dudziro.
  21892. Dan 2:17 Ipapo Dhaniyeri wakaenda mumba make ndokuzivisa nyaya kuna Hananiya, Mishaeri, naAzariya, shamwari dzake;
  21893. Dan 2:18 kuti vakumbire nyasha huru kuna Mwari wekumatenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuti Dhaniyeri neshamwari dzake varege kuparara pamwe nevamwe vevachenjeri veBhabhironi.
  21894. Dan 2:19 Ipapo chakavanzika chakaziviswa Dhaniyeri muchiratidzo cheusiku. Dhaniyeri ndokurumbidza Mwari wekumatenga.
  21895. Dan 2:20 Dhaniyeri wakapindura ndokuti: Ngarirumbidzwe zita raMwari kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake.
  21896. Dan 2:21 Nokuti anoshandura nguva nenguva dzakatarwa, anobvisa madzimambo nekugadza madzimambo; anopa uchenjeri kune vakachenjera, neruzivo kune avo vanoziva ruzivo.
  21897. Dan 2:22 Anozarurira zvakadzika nezvinhu zvakavanda, anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara pamwe naye.
  21898. Dan 2:23 Ndinokutendai nekukurumbidzai, imwi Mwari wemadzibaba angu, uye makandipa uchenjeri nesimba, mukazivisa kwandiri ikozvino zvatakabvunza kwamuri, nokuti makazivisa kwatiri nyaya yamambo.
  21899. Dan 2:24 Naizvozvo Dhaniyeri wakapinda kuna Arioki, mambo waaiva atemera kuti aparadze vachenjeri veBhabhironi; wakaenda ndokutaura seizvi kwaari: Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndipinzei pamberi pamambo, zvino ndichazivisa mambo dudziro.
  21900. Dan 2:25 Ipapo Arioki wakapinza Dhaniyeri pamberi pamambo nekukurumidza, ndokureva seizvi kwaari: Ndawana murume pavatapwa vekwaJudha, achazivisa mambo dudziro.
  21901. Dan 2:26 Mambo wakapindura ndokuti kuna Dhaniyeri wezita rake raiva Bheriteshazari: Iwe unogona kundizivisa chiroto chandaona, nekududzirwa kwacho here?
  21902. Dan 2:27 Dhaniyeri wakapindura pamberi pamambo ndokuti: Chakavanzika mambo chaabvunza, vane njere, n’anga, vemasaramusi, nevafemberi havagoni kuzivisa mambo.
  21903. Dan 2:28 Asi kuna Mwari kumatenga anozarurira zvakavanzika, nekuzivisa mambo Nebhukadhirezari zvichavapo pamazuva ekupedzisira. Chiroto chenyu nezviratidzo zvemusoro wenyu pamubhedha wenyu ndeizvi:
  21904. Dan 2:29 Imwi, mambo, pamubhedha wenyu mirangariro yenyu yakwira, zvichaita pashure peizvi; zvino uyo anozarurira zvakavanzika anozivisa kwamuri zvichaitika.
  21905. Dan 2:30 Asi maererano neni, chakavanzika chazarurirwa kwandiri kwete nekuda kweuchenjeri hwandinahwo hunopfuura chisikwa chipi nechipi chinorarama, asi kuti kuziviswe dudziro kuna mambo, uye kuti muzive mirangariro yemoyo wenyu.
  21906. Dan 2:31 Imwi mambo makaona, zvino tarirai, chifananidzo chikuru; chifananidzo ichi, chakanga chakakura uye chaipenya kwazvo, chakamira pamberi penyu, uye chimiro chacho chaityisa.
  21907. Dan 2:32 Musoro wechifananidzo ichi waiva wegoridhe rakaisvonaka, chipfuva chacho nemaoko acho zvaiva zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvaiva zvendarira,
  21908. Dan 2:33 makumbo acho aiva edare, tsoka dzacho dzaiti pamwe dare uye pamwe ivhu.
  21909. Dan 2:34 Makatarira kusvika kwavezwa ibwe risina maoko; uye rakarova chifananidzo nemutsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, ndokudziputsanya.
  21910. Dan 2:35 Ipapo dare, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa pamwe chete, ndokuva sehundi yeburiro remuzhizha; mhepo ndokuzvibvisa, zvekuti hakuna kuwanikwa nzvimbo ipi neipi yazvo; ibwe rakarova chifananidzo ndokuva gomo guru, ndokuzadza nyika yose.
  21911. Dan 2:36 Ichi ndicho chiroto; zvino tichareva dudziro yacho pamberi pamambo.
  21912. Dan 2:37 Imwi mambo, muri mambo wemadzimambo, nokuti Mwari wekumatenga wakakupai umambo, simba, kugwinya, nekubwinya.
  21913. Dan 2:38 Zvino pose vana vevanhu pavanogara, mhuka dzesango neshiri dzekumatenga wakazvipa muruoko rwenyu, uye wakakuitai mutongi pamusoro pazvo zvose; ndimwi musoro uyu wegoridhe.
  21914. Dan 2:39 Zvino shure kwenyu kuchamuka humwe umambo udiki kwamuri; nehumwe umambo hwetatu hwendarira huchatonga panyika yose.
  21915. Dan 2:40 Zvino umambo hwechina huchasimba sedare, sedare zvarinoputsanya nekupwanya zvose; saizvozvo sedare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo achaputsanya nekupwanya.
  21916. Dan 2:41 Uye zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu remuumbi wehari uye pamwe nedare, huchava ushe hwakaganhurwa; asi zvesimba redare zvichavamo, zvamakaona dare rakavhenganiswa nevhu nyoro rekuumba.
  21917. Dan 2:42 Zvigunwe zvemakumbo zvazvaiva zvakaitwa pamwe nedare uye pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba uye pamwe haungatani kuputsika.
  21918. Dan 2:43 Uye zvamakaona dare rakavhenganiswa nevhu nyoro rekuumba, saizvozvo vachavhenganiswa nembeu yevanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani nevhu rekuumba.
  21919. Dan 2:44 Zvino nemazuva emadzimambo iwayo Mwari wekumatenga achagadza ushe, husingazoparadzwi nekusingaperi; uye ushe hahungasiirwi vamwe vanhu; ihwo uchaputsanya nekupedza ushe uhwo hwose, asi ihwo huchamira nekusingaperi.
  21920. Dan 2:45 Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo zvisingaitwi nemaoko, ndokuputsa-putsa dare, ndarira, ivhu, sirivha, negoridhe, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa shure kweizvi; uye chiroto ndechechokwadi, nedudziro yacho yakavimbika.
  21921. Dan 2:46 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, ndokunamata Dhaniyeri; uye akaraira kuti vamuvigire chipo chinodururwa nezvinotapira zvinonhuhwira.
  21922. Dan 2:47 Mambo akapindura Dhaniyeri, akati: Chiri chokwadi kuti Mwari wenyu ndiye Mwari wavamwari, naIshe wemadzimambo, nemuzivisi wezvakavanzika, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakavanzika.
  21923. Dan 2:48 Ipapo mambo akaita Dhaniyeri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, ndokumuita mubati wedunhu rose reBhabhironi, nemutariri mukuru pamusoro pevakachenjera vose veBhabhironi.
  21924. Dan 2:49 Dhaniyeri akakumbira kuna mambo; iye akagadza Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego pamusoro pebasa rose redunhu reBhabhironi; asi Dhaniyeri akava pasuwo ramambo.
  21925. Dan 3:1 Nebhukadhinezari mambo wakaita chifananidzo chegoridhe; kureba kwacho kwaiva makubhiti makumi matanhatu, kufara kwacho makubhiti matanhatu; akachimisa pabani reDhura mudunhu reBhabhironi.
  21926. Dan 3:2 Uye Nebhukadhinezari mambo wakatuma kunounganidza machinda, vabati, nevatungamiriri, madzishe, vabati vehomwe, varayiri, vatongi, nevose vatungamiriri vematunhu, kuti vauye pakugadzwa kwechifananidzo Nebhukadhinezari mambo chaaiva amisa.
  21927. Dan 3:3 Ipapo machinda, vabati, vatungamiriri, madzishe, vabati vehomwe, varayiri, vatongi, nevose vatungamiriri vematunhu, vakaungana pakugadzwa kwechifananidzo Nebhukadhinezari mambo chaaiva amisa; ndokumira pamberi pechifananidzo Nebhukadhinezari chaaiva amisa.
  21928. Dan 3:4 Zvino mudanidziri wakadanidzira nesimba achiti: Zvanzi kwamuri, imwi vanhu, marudzi, nendimi,
  21929. Dan 3:5 panguva yamunonzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, marimba, nemarudzi ose ezviridzwa, muwire pasi mushumire chifananidzo chegoridhe Nebhukadhinezari mambo chaakamisa.
  21930. Dan 3:6 Zvino ani nani asingawiri pasi nekushumira, ipapo ipapo achakandirwa mukati mevira remoto rinopfuta.
  21931. Dan 3:7 Naizvozvo panguva iyoyo vanhu vose pavakanzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, nemarudzi ose ezviridzwa, vanhu vose, marudzi, nendimi, vakawira pasi kushumira chifananidzo chegoridhe, Nebhukadhinezari mambo chaaiva amisa.
  21932. Dan 3:8 Naizvozvo panguva iyoyo vamwe vaKaradhiya vakaswedera vakapomera vaJudha.
  21933. Dan 3:9 Vakapindura vakati kuna mambo Nebhukadhinezari: Imwi mambo, raramai nekusingaperi.
  21934. Dan 3:10 Imwi mambo makaita chirevo, kuti munhu umwe neumwe achanzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, nemarimba, nemarudzi ose ezviridzwa, awire pasi ndokushumira chifananidzo chegoridhe.
  21935. Dan 3:11 Uye ani nani asingawiri pasi nekushumira, anofanira kukandwa mukati mevira remoto rinopfuta.
  21936. Dan 3:12 Pane vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pebasa rose redunhu reBhabhironi, Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego; varume ava, ishe, havana kuva nehanya nemwi, havashumiri vamwari venyu, uye havanamati chifananidzo chegoridhe chamakamisa.
  21937. Dan 3:13 Ipapo Nebhukadhinezari mukutsamwa nekupfuta wakaraira kuuiswa kwaShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego. Zvino vakaunza varume ava pamberi pamambo.
  21938. Dan 3:14 Nebhukadhinezari wakapindura ndokuti kwavari: Maune here, Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, kuti hamushumiri vamwari vangu, uye hamunamati chifananidzo chegoridhe chandakamisa?
  21939. Dan 3:15 Ikozvino kana makagadzirira kuti panguva yamuchanzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, nemarimba, nemarudzi ose ezviridzwa, muchawira pasi mushumire chifananidzo chandakaita, zvakanaka; asi kana musingashumiri muchakandirwa ipapo ipapo mukati mevira remoto rinopfuta. Zvino ndiyani Mwari uyo achakununurai kubva mumaoko angu?
  21940. Dan 3:16 Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura ndokuti kuna mambo: Imwi Nebhukadhinezari, hatitsvaki kukupindurai panyaya iyi.
  21941. Dan 3:17 Kana zvikaitika, Mwari wedu watinoshumira angagona kutinunura pavira remoto rinopfuta; uye iye achatinunura paruoko rwenyu, mambo.
  21942. Dan 3:18 Asi kana zvikasadaro, ngazvizikanwe kwamuri, imwi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu uye hatinganamati chifananidzo chegoridhe chamakamisa.
  21943. Dan 3:19 Ipapo Nebhukadhinezari wakazara nekupfuta, uye chimiro chechiso chake chikashandukira Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego; akapindura ndokuraira kuti vavesere vira kakapetwa kanomwe kupfuura zvaraisiveserwa.
  21944. Dan 3:20 Zvino wakaraira varume vaiva nesimba kwazvo vaiva muhondo yake kusunga Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, kukandira muvira remoto rinopfuta.
  21945. Dan 3:21 Ipapo varume avo vakasungwa vakapfeka nguvo refu dzavo, mabhurukwa avo, nenguwani dzavo, nedzimwe nguvo dzavo, ndokuwisirwa mukati mevira remoto rinopfuta.
  21946. Dan 3:22 Naizvozvo nekuda kwekuti shoko ramambo raiva rakapinza, nevira richipisa kwazvo, mupfuto wemoto wakauraya varume avo vakatora Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego.
  21947. Dan 3:23 Zvino varume ava vatatu Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira remoto rinopfuta.
  21948. Dan 3:24 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukurumidza kusimuka, akapindura ndokuti kumakurukota ake: Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati memoto here? Vakapindura ndokuti kuna mambo: Ichokwadi, mambo.
  21949. Dan 3:25 Akapindura ndokuti: Tarirai, ini ndinoona varume vana vakasununguka, vanofamba mukati memoto, uye pasina kukuvara pavari, uye chimiro chewechina chakaita semwanakomana wevamwari.
  21950. Dan 3:26 Ipapo Nebhukadhinezari wakaswedera kumukova wevira remoto raipfuta, akataura ndokuti: Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, imwi varanda vaMwari Wekumusoro-soro, budai muuye. Ipapo Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego vakabuda mukati memoto.
  21951. Dan 3:27 Zvino machinda, varairi, nemadzishe, nemakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto waiva washaiwa simba pamiviri yavo, nevhudzi remisoro yavo raiva risina kutsva, nenguvo dzavo refu dzaiva dzisina kushanduka; kunyange munhuhwi wemoto waiva usina kusvika kwavari.
  21952. Dan 3:28 Nebhukadhinezari wakapindura ndokuti: Mwari waShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye wakatuma mutumwa wake, akanunura varanda vake vaiva vachivimba naye, ivo vaiva vashandura shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira uye varege kunamata mwari upi neupi kunze kwaMwari wavo.
  21953. Dan 3:29 Naizvozvo chirevo chakaitwa neni, kuti vanhu vose, marudzi, nendimi, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, vatemwe-temwe, neimba yavo iitwe durunhuru; nokuti hakuna umwe mwari anogona kurwira saizvozvo.
  21954. Dan 3:30 Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego padunhu reBhabhironi.
  21955. Dan 4:1 Nebhukadhinezari mambo, kuvanhu vose, marudzi, nendimi, vagere pasi pose: Rugare rwupamhidzirwe kwamuri!
  21956. Dan 4:2 Zvanga zvakanaka kwandiri kuzivisa zviratidzo nezvishamiso Mwari Wekumusoro-soro zvaakaita kwandiri.
  21957. Dan 4:3 Zviratidzo zvake zvakakura sei! Uye zvine simba sei zvishamiso zvake! Ushe hwake ushe husingaperi, uye kutonga kwake ndekwerudzi nerudzi.
  21958. Dan 4:4 Ini Nebhukadhinezari ndaiva ndakatambara mumba mangu, uye ndakajeka mumuzinda wangu.
  21959. Dan 4:5 Ndakaona chiroto chakandityisa; mirangariro pamubhedha wangu nezviratidzo zvemusoro wangu ndokunditambudza.
  21960. Dan 4:6 Naizvozvo chirevo chakaitwa neni kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauiswe pamberi pangu, kuti vazivise kwandiri kududzirwa kwechiroto.
  21961. Dan 4:7 Ipapo kwakapinda vemasaramusi, n’anga, vaKaradhiya, nevafemberi; uye ndikataura chiroto pamberi pavo, asi havana kuzivisa kwandiri dudziro yacho.
  21962. Dan 4:8 Asi pakupedzisira Dhaniyeri wakapinda pamberi pangu, zita rake rinova Bheriteshazari, zvichienderana nezita ramwari wangu, uye ane mweya wevamwari vatsvene maari. Zvino pamberi pake ndakareva chiroto ndichiti:
  21963. Dan 4:9 Iwe Bheriteshazari, mukuru wevemasaramusi, nokuti ndinoziva kuti mweya wevamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chipi nechipi chinokutambudza, ndiudze zviratidzo zvechiroto changu chandakaona nedudziro yacho.
  21964. Dan 4:10 Zvaiva zvakadaro zviratidzo zvemusoro wangu pamubhedha wangu: Ndakaona, zvino tarira, muti pakati penyika, uye kureba kwawo kuri kukuru.
  21965. Dan 4:11 Muti wakakura ndokuva wakasimba, nekureba kwawo kwakasvika kumatenga, nekuonekwa kwawo kumugumo wenyika yose.
  21966. Dan 4:12 Mashizha awo aiva akanaka, nechibereko chawo chaiva chakawanda, uye mauri maiva nekudya kwevose; mhuka dzesango dzakava nemumvuri pasi pawo; neshiri dzekumatenga dzakagara pamatavi awo; nyama yose ndokuriritirwa pauri.
  21967. Dan 4:13 Ndikaona pazviratidzo zvemusoro wangu pamubhedha wangu; uye tarira, murindi, iye mutsvene achiburuka kubva kumatenga.
  21968. Dan 4:14 Wakadanidzira kwazvo ndokureva seizvi: Temai muti, uye gurai matavi awo, zuzai mashizha awo, uye paradzirai chibereko chawo, mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri kubva pamatavi awo.
  21969. Dan 4:15 Zvakadaro siyai chitsiga chemidzi yawo muvhu, uye nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; uye ngazvinyoroveswe nedova rekumatenga; nemugove wake ngauve pamwe nemhuka muuswa hwenyika.
  21970. Dan 4:16 Moyo wake ngaushandurwe kubva kune wemunhu, uye moyo wemhuka ngaupiwe kwaari, uye nguva nomwe ngadzipfuure pamusoro pake.
  21971. Dan 4:17 Nyaya iyi muchirevo chevarindi, nechinodikanwa mushoko revatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wekumusoro-soro anotonga paushe hwevanhu, nekuhupa kuna ani nani waanoda, nekuisa pamusoro paho wepasisa pakati pevanhu.
  21972. Dan 4:18 Chiroto ichi ndakachiona ini mambo Nebhukadhinezari. Zvino iwe Bheteshazari, reva dudziro yacho, vakachenjera vose veumambo hwangu zvavasingagoni kuzivisa kwandiri dudziro; asi iwe unogona, nokuti mweya wevamwari vatsvene uri mauri.
  21973. Dan 4:19 Ipapo Dhaniyeri, zita rake raiva Bheriteshazari, wakashamisika kwazvo kweawa rimwe, uye mirangariro yake yakamutambudza. Mambo wakataura ndokuti: Bheriteshazari, chiroto nedudziro yacho ngazvirege kukutambudza. Bheriteshazari wakapindura ndokuti: Ishe wangu, chiroto ngachive kune vanokuvengai, nedudziro yacho kuvavengi venyu.
  21974. Dan 4:20 Muti wamaona, iwo wakakura ukava wakasimba, uye kureba kwawo kwakasvika kumatenga, uye kuonekwa kwawo kunyika yose,
  21975. Dan 4:21 nemashizha awo akanaka, nechibereko chawo chakawanda, uye mauri mune kudya kwevose, uye pasi pawo mhuka dzesango padzakagara, uye pamatavi awo shiri dzekumatenga padzakava neugaro hwadzo,
  21976. Dan 4:22 ndiwo imwi mambo, imwi makakura mukava nesimba, nokuti ukuru hwenyu hwakakura, uye hunosvika kumatenga, uye ushe hwenyu kumugumo wenyika.
  21977. Dan 4:23 Zvino mambo zvaakaona murindi, uye mutsvene, achiburuka kubva kumatenga achiti: Temai muti muuparadze, asi musiye chitsiga chemidzi yawo muvhu, uye nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, uye ngachinyoroveswe nedova rekumatenga, uye mugove wake ngauve pamwe nemhuka dzesango, kusvika kwapfuura nguva nomwe pamusoro pake:
  21978. Dan 4:24 Heyi dudziro, mambo, uye hechi chirevo cheWekumusoro-soro, chinouya pamusoro paishe wangu mambo.
  21979. Dan 4:25 Kuti vachakudzingai kubva kuvanhu, uye ugaro hwenyu huchava pamwe nemhuka dzesango, uye vachakudyisai uswa senzombe, uye vachakunyorovesai nedova rekumatenga, uye nguva nomwe dzichapfuura pamusoro penyu, kusvika maziva kuti Wekumusoro-soro anotonga paumambo hwevanhu, uye anohupa waanoda.
  21980. Dan 4:26 Uye zvavakaraira kuti vasiye chitsiga chemidzi yemuti, umambo hwenyu huchasimba kwamuri, shure kwekunge maziva kuti matenga anotonga.
  21981. Dan 4:27 Naizvozvo imwi mambo, zano rangu ngarigamuchirike kwamuri, uye bvarurai zvivi zvenyu nekururama, uye zvitadzo zvenyu nekuva netsitsi kuvarombo, zvimwe kungava nekurebeswa kwerugare rwenyu.
  21982. Dan 4:28 Zvose izvi zvakaitika kuna mambo Nebhukadhinezari.
  21983. Dan 4:29 Pakupera kwemwedzi gumi nemiviri, waifamba-famba pamusoro pemuzinda weumambo hweBhabhironi.
  21984. Dan 4:30 Mambo wakapindura ndokuti: Harisi Bhabhironi guru ini randakavaka kuva imba yeumambo nesimba reukuru hwangu, uye nereukudzo rweushe hwangu here?
  21985. Dan 4:31 Shoko iri richiri mumuromo wamambo, kwakawa inzwi kubva kumatenga richiti: Iwe mambo Nebhukadhinezari, kunotaurwa kwauri kuti: Ushe hwabva kwauri.
  21986. Dan 4:32 Zvino vachakudzinga kubva kuvanhu, uye ugaro hwako huchava pamwe nemhuka dzesango, vachakudyisa uswa senzombe, uye nguva nomwe dzichapfuura pamusoro pako, kusvika waziva kuti Wekumusoro-soro anotonga paumambo hwevanhu, uye anohupa waanoda.
  21987. Dan 4:33 Panguva iyoyo chinhu chakazadziswa pamusoro paNebhukadhinezari; zvino wakadzingwa kubva kuvanhu, ndokudya uswa senzombe, uye muviri wake wakanyorova nedova rekumatenga, kusvika vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri.
  21988. Dan 4:34 Zvino pakupera kwemazuva, ini Nebhukadhinezari ndakasimudzira meso angu kumatenga, kunzwisisa kwangu ndokudzokera kwandiri. Zvino ndakarumbidza Wekumusoro-soro, uye ndakarumbidza nekukudza iye anorarama nekusingaperi, uyo ushe hwake ushe hwekusingaperi, uye umambo hwake ndehwezera nezera.
  21989. Dan 4:35 Zvino vagari vose vepanyika vakaverengwa sevasiri chinhu, iye ndokuita zvinoenderana nechido chake muhondo dzekumatenga nevagari vepanyika, uye hakuna anodzivisa ruoko rwake, kana angati kwaari: Unoitei?
  21990. Dan 4:36 Panguva iyoyo pfungwa dzangu dzakadzokera kwandiri, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwangu, rukudzo rwangu nekujeka zvakadzokera kwandiri; uye vapi vemazano vangu nemachinda angu vakanditsvaka, zvino ndikasimbiswa paumambo hwangu, uye ukuru hwakanakisisa hukawedzerwa kwandiri.
  21991. Dan 4:37 Ikozvino ini Nebhukadhinezari ndinorumbidza nekukudza nekuremekedza Mambo wekumatenga, nokuti mabasa ake ose ichokwadi, nenzira dzake mutongo; uye vanofamba mukuzvikudza anogona kuderedza.
  21992. Dan 5:1 Bherishazari mambo wakaitira madzishe ake ane churu mabiko makuru, ndokunwa waini pamberi pevane churu.
  21993. Dan 5:2 Bherishazari achiri kuravira waini, wakaraira kuti vaunze midziyo yegoridhe neyesirivha baba vake Nebhukadhinezari yavaiva vatora kubva mutembere yaiva muJerusarema, kuti mambo, nemachinda ake, vakadzi vake, nevarongo vake vagonwiramo.
  21994. Dan 5:3 Ipapo vakaunza midziyo yegoridhe yaiva yatorwa kubva mutembere yeimba yaMwari yaiva muJerusarema. Uye mambo, nemachinda ake, vakadzi vake, nevarongo vake vakanwira mairi.
  21995. Dan 5:4 Vakanwa waini ndokurumbidza vamwari vegoridhe, nevesirivha, vendarira, vedare, vematanda, nevemabwe.
  21996. Dan 5:5 Panguva iyoyo kwakauya minwe yeruoko rwemunhu ndokunyora pakatarisana nechigadziko chemwenje pamusoro pepakadzudzurwa pechidziro chemuzinda wamambo; mambo ndokuona chanza cheruoko rwainyora.
  21997. Dan 5:6 Ipapo chiso chamambo chakashanduka, mirangariro yake ndokumutambudza, zvekuti mafundo echiuno chake akasununguka, mabvi ake ndokurovana.
  21998. Dan 5:7 Mambo wakadanidzira nesimba kuti kuunzwe n’anga, vaKaradhiya, nevafemberi. Mambo wakapindura ndokuti kuvachenjeri veBhabhironi: Ani nani achaverenga chinyorwa ichi, nekundizivisa dudziro yacho, achapfekedzwa zvitsvuku, neruketani rwegoridhe pamutsipa wake, uye achava mutongi wechitatu paumambo hwangu.
  21999. Dan 5:8 Ipapo kwakapinda vachenjeri vose vamambo, asi vaiva vasingagoni kuverenga chinyorwa kana kuzivisa mambo dudziro yacho.
  22000. Dan 5:9 Ipapo mambo Bherishazari wakatambudzika kwazvo, chiso chake ndokushanduka maari, nemadzishe ake akakanganiswa.
  22001. Dan 5:10 Nekuda kwemashoko amambo nemachinda avo vahosi vakauya kuimba yemabiko; vahosi ndokupindura ndokuti: Mambo, raramai nekusingaperi; mirangariro yenyu ngairege kukutambudzai, uye chiso chenyu ngachirege kushanduka.
  22002. Dan 5:11 Kune murume muumambo hwenyu maari mune mweya wevamwari vatsvene. Nokuti pamazuva ababa venyu chiedza, nekunzwisisa, neuchenjeri, seuchenjeri hwevamwari, zvakawanikwa maari; uye mambo Nebhukadhinezari baba venyu vakamuita ishe wevemasaramusi, n’anga, vaKaradhiya, nevafemberi; baba venyu, mambo.
  22003. Dan 5:12 Nokuti mweya wakanakisisa, neruzivo, nekunzwisisa, dudziro yezviroto, nekuzivisa zvirevo zvinorema, nekusunungura mafundo zvakawanikwa maari, muna Dhaniyeri, mambo waakatumidza Bherishazari. Ikozvino Dhaniyeri ngaadanwe; iye achazivisa dudziro.
  22004. Dan 5:13 Ipapo Dhaniyeri wakaunzwa pamberi pamambo. Mambo wakapindura ndokuti kuna Dhaniyeri: Ndiwe uya Dhaniyeri uri wevakatapwa vekwaJudha avo mambo baba vangu vavakaunza kubva kwaJudha here?
  22005. Dan 5:14 Ndakanzwawo nezvako kuti mweya wevamwari uri mauri, uye kuti chiedza, nekunzwisisa, neuchenjeri hwakanakisisa zvakawanikwa mauri.
  22006. Dan 5:15 Zvino ikozvino vachenjeri nen’anga vaunzwa pamberi pangu kuti vaverenge chinyorwa ichi, nekuzivisa kwandiri dudziro yacho; asi havana kugona kuzivisa dudziro yechinhu ichi.
  22007. Dan 5:16 Asi ini ndakanzwa nezvako kuti iwe unogona kuita dudziro zhinji nekusunungura mafundo; zvino kana ukagona kuverenga chinyorwa, nekundizivisa dudziro yacho, uchapfekedzwa zvitsvuku, neruketani rwegoridhe pamutsipa wako, uye uve mutongi wetatu paumambo.
  22008. Dan 5:17 Ipapo Dhaniyeri wakapindura ndokuti pamberi pamambo: Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu, uye ipai mibairo yenyu kune umwe; zvakadaro ndichaverenga chinyorwa kuna mambo, nekuzivisa dudziro kwaari.
  22009. Dan 5:18 Imwi mambo, Mwari Wekumusoro-soro wakapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo, neukuru, nekubwinya, nerukudzo.
  22010. Dan 5:19 Zvino nekuda kweukuru hwaakavapa, vanhu vose, marudzi, nendimi, zvakadedera nekutya pamberi pavo; ivo vakauraya wavaida, uye vachirega ari mupenyu wavaida, uye vaikwiridzira wavaida, uye vaideredza wavaida.
  22011. Dan 5:20 Asi moyo wavo pawakazvida, nemoyo wavo ukaomeswa pakuzvikudza, vakaderedzwa kubva pachigaro cheushe cheumambo hwavo, zvino vakatora rukudzo rwavo kubva kwavari.
  22012. Dan 5:21 Zvino vakadzingwa kubva kuvanakomana vevanhu, nemoyo wavo ukaitwa semhuka, uye ugaro hwavo hwakava pamwe nembizi, vakavadyisa uswa senzombe, nemuviri wavo wakanyoroveswa nedova rekumatenga, kusvika vaziva kuti Mwari Wekumusoro-soro anotonga paumambo hwevanhu, uye anogadza pamusoro pahwo ani nani waanoda.
  22013. Dan 5:22 Zvino imwi Bherishazari mwanakomana wavo, hamuna kuninipisa moyo wenyu, kunyange maiziva zvose izvi.
  22014. Dan 5:23 Asi makazvikudza muchipokana naIshe wekumatenga, uye vakaunza midziyo yeimba yake pamberi penyu; zvino imwi, nemachinda enyu, vakadzi venyu, nevarongo venyu, makanwa waini mairi; uye makarumbidza vamwari vesirivha, negoridhe, ndarira, dare, matanda, nemabwe, vasingaoni, uye vasinganzwi, uye vasingazivi; asi Mwari uyo mweya wenyu uri muruoko rwake, uye nzira dzenyu dzose dziri dzake, hamuna kumurumbidza.
  22015. Dan 5:24 Ipapo chanza cheruoko chakatumwa kubva kwaari, chinyorwa ichi ndokunyorwa.
  22016. Dan 5:25 Zvino hechi chinyorwa chakanyorwa: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI.
  22017. Dan 5:26 Heyi dudziro yechinhu ichi: MENE: Mwari wakaverenga umambo hwako akahupedza.
  22018. Dan 5:27 TEKERE: Wakayerwa pazviyero ndokuwanikwa uchitayira.
  22019. Dan 5:28 PERESI: Umambo hwako hwakamurwa ndokupihwa kuvaMedhi nevaPerisia.
  22020. Dan 5:29 Ipapo Bherishazari wakaraira, zvino vakapfekedza Dhaniyeri zvitsvuku, neruketani rwegoridhe pamutsipa wake, ndokuita mharidzo pamusoro pake, kuti ave mutongi wechitatu paumambo.
  22021. Dan 5:30 Pausiku uhwo Bherishazari mambo muKaradhiya wakaurawa.
  22022. Dan 5:31 Dhariyasi muMedhiya ndokugamuchira umambo, waiva nemakore anenge makumi matanhatu nemaviri.
  22023. Dan 6:1 Zvakava zvakanaka kuna Dhariyasi kuisa pamusoro peumambo machinda zana nemakumi maviri, vaiva paushe hwose.
  22024. Dan 6:2 Zvino pamusoro pavo wakagadza vakuru vatatu, Dhaniyeri ari wekutanga wavo; kuti machinda arondedzere kwavari, mambo agosava nekukanganiswa.
  22025. Dan 6:3 Ipapo Dhaniyeri uyu wakapfuura vakuru ava nemachinda, nokuti mweya unokosha waiva maari; mambo ndokufunga kumuisa pamusoro peumambo hwose.
  22026. Dan 6:4 Ipapo vakuru nemachinda vakatsvaka kuwana mukana kurwisa Dhaniyeri pamusoro peumambo, asi havana kugona kuwana mukana upi kana chipomerwa, sezvaaiva akatendeka, uye hapana chitadzo chipi kana chipomerwa zvakawanikwa kwaari.
  22027. Dan 6:5 Ipapo varume ava vakati: Hatingawani mukana upi pamusoro paDhaniyeri uyu, kunze kwekuti tauwana pamusoro pemurairo waMwari wake.
  22028. Dan 6:6 Ipapo vakuru ava nemachinda vakaungana pamwe kuna mambo ndokutaura seizvi kwaari: Mambo Dhariyasi, raramai nekusingaperi.
  22029. Dan 6:7 Vakuru vose veumambo, makurukota, nemachinda, nevapi vemazano, nevatungamiriri, vakapana zano kumisa murairo wamambo, nekuita chimiso chakasimba, kuti ani nani achakumbira mukumbiro kuna mwari upi neupi kana munhu kwemazuva makumi matatu, kunze kwenyu, imwi mambo, ngaakandirwe mugomba reshumba.
  22030. Dan 6:8 Ikozvino, mambo, simbisai chirevo, mudhinde chinyorwa, kuti chisashandurwa, zvichienderana nemurairo wevaMedhi nevaPerisia, usingapfuuri.
  22031. Dan 6:9 Naizvozvo mambo Dhariyasi vakadhinda chinyorwa nechirevo.
  22032. Dan 6:10 Zvino Dhaniyeri paakaziva kuti chinyorwa chadhindwa, wakapinda mumba make. Zvino mahwindo ake aiva akazarurwa mukamuri rake rakatarisa kuJerusarema. Wakafugama pamambvi ake katatu pazuva ndokunyengetera, ndokupa kuvonga pamberi paMwari wake sezvaaita pasati pava neizvi.
  22033. Dan 6:11 Ipapo varume avo vakaungana pamwe ndokuwana Dhaniyeri achinyengetera nekuita mukumbiro pamberi paMwari wake.
  22034. Dan 6:12 Ipapo vakaswedera, ndokutaura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo vachiti: Hamuna kudhinda pachirevo kuti ani nani anokumbira kuna mwari upi neupi kana munhu pamazuva makumi matatu kunze kwenyu, imwi mambo, achakandirwa mugomba reshumba here? Mambo wakapindura ndokuti: Chinhu ichi ichokwadi, zvichienderana nemurairo wevaMedhi nevaPerisia, usingapfuuri.
  22035. Dan 6:13 Ipapo vakapindura ndokuti pamberi pamambo: Dhaniyeri wevana veutapwa hwaJudha haana hanya nemwi, mambo, kana nechirevo chamakadhinda, asi anonyengetera mukumbiro wake katatu pazuva.
  22036. Dan 6:14 Ipapo mambo paanzwa shoko iri, wakazvitsamwira kwazvo, ndokuisa moyo kuna Dhaniyeri kuti amununure, zvino akarwisa kusvika pakuvira kwezuva kumuponesa.
  22037. Dan 6:15 Ipapo varume ava vakaungana pamwe kuna mambo ndokuti kuna mambo: Zivai imwi mambo, kuti murairo wevaMedhi nevaPerisia unoti: Hakuna chirevo chipi nechipi kana murairo mambo waakamisa unoshandurwa.
  22038. Dan 6:16 Ipapo mambo wakaraira; zvino vakauya naDhaniyeri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo wakataura ndokuti kuna Dhaniyeri: Mwari wako waunosishumira nguva dzose, dai iye akununura.
  22039. Dan 6:17 Zvino kwakauiswa ibwe ndokuiswa pamusoro pemuromo wegomba; mambo ndokurisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chemachinda ake; kuti pasashandurwa chinhu pamusoro paDhaniyeri.
  22040. Dan 6:18 Ipapo mambo wakaenda kumuzinda wake, ndokupedza usiku achitsanya; nemidziyo yemimhanzi haina kuunzwa pamberi pake; hope dzake ndokutiza kwaari.
  22041. Dan 6:19 Ipapo mambo wakamuka mangwanani-ngwanani ndokuenda nekukurumidza kugomba reshumba.
  22042. Dan 6:20 Zvino pakuswedera kwake pagomba kuna Dhaniyeri, wakadanidzira nenzwi remariro; mambo ndokupindura ndokuti kuna Dhaniyeri: Dhaniyeri, muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose ane simba rekukununura pashumba here?
  22043. Dan 6:21 Ipapo Dhaniyeri wakati kuna mambo: Imwi mambo, raramai nekusingaperi.
  22044. Dan 6:22 Mwari wangu wakatuma mutumwa wake, uye wakadzivira muromo wedzishumba, zvino hadzina kundikuvadza; nokuti pamberi pake kuchena kwakawanikwa kwandiri; nepamberi penyuwo, imwi mambo, handina kuita chakaipa.
  22045. Dan 6:23 Ipapo mambo wakafara zvikuru nekuda kwake, zvino akaraira kuti vakwidze Dhaniyeri kubva mugomba. Naizvozvo Dhaniyeri wakakwidzwa kubva mugomba, uye hakuna kuwanikwa kukuvara kupi nekupi paari, nokuti waitenda kuna Mwari wake.
  22046. Dan 6:24 Zvino mambo wakaraira; ivo ndokuunza varume vaya vaiva vapomera Dhaniyeri, vakavakanda mugomba reshumba, ivo, vana vavo, nevakadzi vavo; zvino vasati vasvika pasi mugomba, shumba ndokutonga pamusoro pavo, ndokuvhunyana mapfupa avo ose.
  22047. Dan 6:25 Ipapo mambo Dhariyasi wakanyorera vanhu vose, marudzi, nendimi, vagere pasi pose, ndokuti: Rugare rwenyu ngarwuwanzwe.
  22048. Dan 6:26 Chirevo chinoitwa kubva kwandiri, kuti paushe hupi nehupi muumambo hwangu, vadedere nekutya pamberi paMwari waDhaniyeri; nokuti ndiMwari mupenyu, aripo nekusingaperi, uye umambo hwake husingazoparadzwi, neutongi hwake huchavapo kusvika pakuguma.
  22049. Dan 6:27 Anonunura uye anosunungura, uye anoita zviratidzo nezvishamiso kumatenga nepanyika; iye wakanunura Dhaniyeri pasimba reshumba.
  22050. Dan 6:28 Saizvozvi Dhaniyeri uyu wakabudirira paumambo hwaDhariyasi, nepaushe hwaKoreshi muPerisia.
  22051. Dan 7:1 Mugore rekutanga raBherishazari mambo weBhabhironi, Dhaniyeri wakaona chiroto nezviratidzo zvemusoro wake pamubhedha wake. Ipapo wakanyora chiroto, wakareva dingindira redzinyaya.
  22052. Dan 7:2 Dhaniyeri wakapindura ndokuti: Ndakaona muchiratidzo changu pausiku, zvino tarira, mhepo ina dzematenga dzichiputikira kugungwa guru.
  22053. Dan 7:3 Uye zvikara zvina zvakakura zvakakwira kubva mugungwa, zvakasiyana chimwe nechimwe.
  22054. Dan 7:4 Chekutanga chaiva chakaita seshumba, uye chaiva nemapapiro egondo. Ndakatarira kusvika mapapiro acho adzurwa; zvino chikasimudzwa kubva pasi, ndokumiswa nemakumbo semunhu. Moyo wemunhu ndokupiwa kwachiri.
  22055. Dan 7:5 Zvino tarira, chimwe chikara, chechipiri, chakaita sebheya, chakazvimisa nerutivi rwumwe, chine mbabvu nhatu mumuromo macho pakati pemazino acho. Zvino vakareva seizvi kwachiri: Simuka, udye nyama zhinji.
  22056. Dan 7:6 Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira chimwe, seingwe; uye yaiva nemapapiro mana eshiri pamusana payo; chikara chaivawo nemisoro mina; utongi ndokupiwa kwachiri.
  22057. Dan 7:7 Shure kweizvi ndakaona muzviratidzo zveusiku, zvino tarira, chikara chechina, chinotyisa uye chinovhundusa uye chakasimba kwazvo. Zvino chaiva nemazino makuru edare; chakapedza, ndokuguranya, ndokutsika-tsika zvakasara netsoka dzacho. Zvino chaiva chakasiyana nezvikara zvose zvakachitangira; uye chaiva nenyanga gumi.
  22058. Dan 7:8 Ndikacherekedza nyanga, zvino tarira, kwakakwira pakati padzo imwe nyanga diki, nhatu dzenyanga dzekutanga dzakadzurwa nemumidzi pamberi parwo; zvino tarira, panyanga iyi paiva nemaziso semaziso emunhu, nemuromo uchitaura zvinhu zvikuru.
  22059. Dan 7:9 Ndakatarira kusvika zvigaro zveushe zvagadzwa. Zvino kwakagara Mukuru wemazuva, zvipfeko zvake zvaiva zvakachena semagada echando, nevhudzi remusoro wake rakaita semakushe emakwai akanatswa; chigaro chake cheushe chiri mirazvo yemoto, mavhiri acho ari moto unopfuta.
  22060. Dan 7:10 Rukova rwemoto rwaiyerera rwuchibuda kubva pamberi pake; churu chezvuru chakachishumira; uye vane zvuru gumi vakapetwa kane zvuru gumi vakamira pamberi pake; mutongo wakagara, mabhuku ndokuzarurwa.
  22061. Dan 7:11 Ipapo ndakatarira nekuda kweinzwi remashoko makuru nyanga ayakataura; ndakatarira kusvika chikara chaurawa, nemuviri wacho waparadzwa, ndokupiwa kumoto unopfuta.
  22062. Dan 7:12 Maererano nezvikara zvakasara, vakabvisa umambo hwazvo, zvakadaro kurebeswa kweupenyu kunopiwa kwazviri kusvika nhambo nenguva.
  22063. Dan 7:13 Ndakaona muzviratidzo zveusiku, zvino tarira, wakaita seMwanakomana wemunhu achiuya nemakore ekumatenga, uye wakauya kuMukuru wemazuva. Zvino vakamuswededza pamberi pake.
  22064. Dan 7:14 Zvino kwakapiwa kwaari utongi nekubwinya neumambo, zvekuti vanhu vose, marudzi, nendimi zvimushumire. Utongi hwake utongi hwekusingaperi, husingazopfuuri; neumambo hwake ndihwo husingazoparadzwi.
  22065. Dan 7:15 Ini Dhaniyeri, mweya wangu wakatambudzika mukati memuviri wangu, uye zviratidzo zvemusoro wangu zvakandivhundusa.
  22066. Dan 7:16 Ndakaswedera kune umwe wevaiva vakamirapo, ndokumubvunza chokwadi chezvose izvi. Zvino wakandiudza, ndokundizivisa dudziro yezvinhu.
  22067. Dan 7:17 Zvikara izvi zvikuru, zviri zvina, madzimambo mana achasimuka kubva panyika.
  22068. Dan 7:18 Asi vatsvene veWekumusoro-soro vachagamuchira umambo, uye vachava neumambo nekusingaperi kusvikawo rinhi narinhi.
  22069. Dan 7:19 Ipapo ndakada kuziva chokwadi chechikara chechina chaiva chakasiyana nezvose zvazvo, chaityisa kwazvo, mazino acho aiva utare, nenzara dzacho dzendarira; chakapedza, chakaguranya, nekutsika-tsika zvakasara nemakumbo acho.
  22070. Dan 7:20 Uye pamusoro penyanga gumi dzaiva pamusoro pacho, neimwe yakakwira, uye pamberi pacho zvitatu pazvakawa, iyo nyanga yaiva nemeso, nemuromo wakataura zvinhu zvikuru, kuonekwa kwacho kwaiva kwakakura kupfuura dzimwe dzayo.
  22071. Dan 7:21 Ndakaona, nyanga iyoyo yakaita hondo nevatsvene, ndokuvakunda;
  22072. Dan 7:22 kusvika kwasvika Mukuru wemazuva, mutongo ndokupiwa kuvatsvene veWekumusoro-soro, nguva ndokusvika apo vatsvene vakava neumambo.
  22073. Dan 7:23 Wakareva seizvi: Chikara chechina chichava umambo hwechina pamusoro penyika, huchava hwakasiyana neumambo hwose; uye huchapedza nyika yose, uye huchahutsikira pasi ndokuhuguranya.
  22074. Dan 7:24 Maererano nenyanga gumi kubva muumambo uhu, madzimambo gumi achasimuka; neumwe achasimuka pashure pawo, uye iwo achava akasiyana neekutanga; zvino achaninipisa madzimambo matatu.
  22075. Dan 7:25 Zvino achataura mashoko kurwisana neWekumusoro-soro, uye achatambudza vatsvene veWekumusoro-soro, nekufunga kushandura dzinguva nemurairo, zvino vachapiwa muruoko rwake kusvika panguva, nedzinguva, nechikamu chenguva.
  22076. Dan 7:26 Asi mutongo uchagara, uye vachabvisa utongi hwake kuti vaparadze vapedze kusvika pakuguma.
  22077. Dan 7:27 Zvino umambo neutongi neukuru hweumambo pasi pematenga ose zvichapiwa kuvanhu vevatsvene veWekumusoro-soro; umambo uzhinji hwake huri umambo hwekusingaperi, uye utongi ukuru hwose huchashumira nekumuteerera.
  22078. Dan 7:28 Kusvika pano ndiwo mugumo wenyaya. Ini Dhaniyeri, mirangariro yangu yakandivhundusa kwazvo, nechiso changu chakashanduka mandiri, asi ndakachengeta nyaya iyi mumoyo mangu.
  22079. Dan 8:1 Mugore rechitatu rekutonga kwamambo Bherishazari kwakaonekwa chiratidzo kwandiri, ini Dhaniyeri, shure kwechakaonekwa kwandiri pakutanga.
  22080. Dan 8:2 Zvino ndakaona muchiratidzo, uye zvakaitika, pandakaona, kuti ndaiva muShushani muzinda uri mudunhu reErami; uye ndakaona muchiratidzo, zvino ndaiva parwizi Urai.
  22081. Dan 8:3 Zvino ndakasimudza meso angu ndokuona, zvino tarira, kwakamira pamberi perwizi gondohwe, raiva nenyanga mbiri; uye nyanga mbiri dzaiva dzakakwirira, asi imwe yaiva yakakwirira kupfuura imwe, uye yakakwirira yakakwira pashure.
  22082. Dan 8:4 Ndakaona gondohwe richitunga kumavirazuva, nekumaodzanyemba, nekuchamhembe, zvekuti kwaiva kusina mhuka ipi neipi yaimira pamberi paro, uye paiva pasina anganunura kubva muruoko rwaro; asi rakaita zvinoenderana nechido charo, rikazvikudza.
  22083. Dan 8:5 Zvino ndakati ndichafunga, tarira, nhongo yembudzi yakabva kumavirazuva pamusoro pechiso chepasi pose, ndokusagunzva pasi; uye nhongo iyi yaiva nenyanga yaionekwa pakati pemaziso ayo.
  22084. Dan 8:6 Zvino yakasvika kugondohwe raiva nenyanga mbiri, randaiva ndaona rakamira pamberi perwizi; ndokumhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.
  22085. Dan 8:7 Zvino ndakaiona ichiswedera kugondohwe, zvino yakaritsamwira kwazvo, ndokurova gondohwe, ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri; uye kwaiva kusina simba mugondohwe kuti rimirisane nayo; asi yakariwisira pasi pavhu ndokuritsika-tsika; uye paiva pasina anganunura gondohwe kubva muruoko rwayo.
  22086. Dan 8:8 Naizvozvo nhongo yembudzi yakazvikudza kwazvo-kwazvo; ndokuti yava nesimba, nyanga huru yakavhunika; zvino panzvimbo yayo pakabuda ina dzinoonekwa dzakatarira kumhepo ina dzekumatenga.
  22087. Dan 8:9 Zvino kubva mune imwe yadzo kwakabuda nyanga diki, yakazvikudza kwazvo, yakatarira kuchamhembe, nekutarira kumavirazuva, nekutarira kunyika yakanaka.
  22088. Dan 8:10 Zvino yakakura kusvika kuhondo yekumatenga; zvino yakawisira pasi dzimwe dzehondo nedzenyeredzi, ndokudzitsika-tsika.
  22089. Dan 8:11 Hongu, yakazvikudza kusvika kumuchinda wehondo; uye chibairo chinoenderera chakabviswa kubva kwaari, nenzvimbo yake tsvene yakaputsirwa pasi.
  22090. Dan 8:12 Zvino kwakapiwa hondo kurwisa chibairo chinoenderera nechikonzero chechitadzo, ndokuwisira chokwadi pasi, ndokuita, ndokubudirira.
  22091. Dan 8:13 Zvino ndakanzwa umwe mutsvene achitaura; umwe mutsvene ndokuti kune umwe waitaura: Kusvika rinhi chiratidzo chiripo chechibairo chinoenderera, nechitadzo chekuparadza, kupa zvose nzvimbo tsvene nehondo kuti zvitsikwe-tsikwe?
  22092. Dan 8:14 Zvino wakati kwandiri: Kusvika madekwani nemakuseni ane zvuru zviviri nemazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
  22093. Dan 8:15 Zvino zvakaitika, ini Dhaniyeri pandakaona chiratidzo, ndokutsvaka kunzwisisa; zvino tarira, kwakamira pamberi pangu wakaita sekuonekwa kwemurume.
  22094. Dan 8:16 Zvino ndakanzwa inzwi remunhu pakati peUrai, rakadana ndokuti: Gabhirieri, ita kuti munhu uyu anzwisise chiratidzo.
  22095. Dan 8:17 Zvino wakauya pedo nepandaiva ndimire, uye pakusvika kwake ndakatya ndokuwa nechiso changu; asi wakati kwandiri: Nzwisisa, iwe mwanakomana wemunhu, nokuti chiratidzo ndechenguva yekupedzisira.
  22096. Dan 8:18 Zvino pakutaura kwake neni, ndaiva ndakarara hope huru nechiso changu pasi; asi wakandibata ndokundiita ndimire pakumira kwangu.
  22097. Dan 8:19 Zvino wakati: Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo pakupedzisira kwekutsamwa, nokuti panguva yakatarwa kuguma kuchavapo.
  22098. Dan 8:20 Gondohwe rawaona rine nyanga mbiri ndiwo madzimambo evaMedhiya nevaPerisia.
  22099. Dan 8:21 Uye nhongo ine mvere ndimambo weGirisi; uye nyanga huru iri pakati pemeso ayo ndimambo wekutanga.
  22100. Dan 8:22 Kana iri yakavhunika, ina dzakamuka panzvimbo yayo, umambo una huchasimuka kubva kurudzi, asi kwete nesimba rayo.
  22101. Dan 8:23 Zvino pakupedzisira kweumambo hwavo, vatadzi pavanenge vazara, kuchasimuka mambo wechiso chinotyisa uye anonzwisisa mashoko anorema.
  22102. Dan 8:24 Zvino simba rayo richagwinya, asi kwete nesimba rayo; asi achaparadza zvinoshamisa, uye achabudirira nekuita, uye achaparadza vane simba nerudzi rwevatsvene.
  22103. Dan 8:25 Zvino kubudikidza neunyengeri hwakewo achabudiririsa ukiribidi muruoko rwake, uye achazvikudza mumoyo make, uye achaparadza vazhinji murunyararo, achamirisanawo nemuchinda wemachinda, asi achavhuniwa pasina ruoko.
  22104. Dan 8:26 Zvino chiratidzo chemadekwani nechemangwanani chakataurwa ichokwadi; asi iwe vharira chiratidzo, nokuti ndechemazuva mazhinji.
  22105. Dan 8:27 Zvino ini Dhaniyeri ndakapera simba, uye ndakarwara mazuva; pashure ndakasimuka ndokuita basa ramambo, uye ndakashamiswa zvikuru nechiratidzo, asi hakuna wakanzwisisa.
  22106. Dan 9:1 Mugore rekutanga raDhariyasi mwanakomana waAhasuwerusi, wembeu yevaMedhi, wakaitwa mambo pamusoro peumambo hwevaKaradhiya;
  22107. Dan 9:2 mugore rekutanga rekutonga kwake, ini Dhaniyeri ndakanzwisisa nemabhuku uwandu hwemakore, shoko raJehovha arakasvika nawo kuna Jeremiya muporofita, kuzadzisa makore makumi manomwe pakuparadzwa kweJerusarema.
  22108. Dan 9:3 Zvino ndakarinzira chiso changu kuna Ishe Mwari, kutsvaka nemunyengetero, nemikumbiro, nekutsanya, nesaga, nemadota.
  22109. Dan 9:4 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndokuita kureurura, ndokuti: Haiwa Ishe, Mwari mukuru uye anotyisa, anochengeta sungano nengoni kune vanomuda nekune vanochengeta mirairo yake.
  22110. Dan 9:5 Takatadza, uye takaita chisakarurama, uye takaita chakaipa, uye takamukira, nekutsauka kubva pazviga zvenyu nepamitongo yenyu.
  22111. Dan 9:6 Uye hatina kuteerera kuvaranda venyu vaporofita, ivo vakataura muzita renyu kumadzimambo edu, machinda edu, nemadzibaba edu, nekuvanhu vose vepanyika.
  22112. Dan 9:7 Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri kune kunyara kwezviso sepazuva rino, kuvanhu vekwaJudha, nekuvagari veJerusarema, nekuna Israeri wose, vari pedo nevari kure, munyika dzose kwamakavadzingira, nekuda kwechitadzo chavo chavakakutadzirai.
  22113. Dan 9:8 Jehovha, kunyara kwezviso kuri kwatiri, kumadzimambo edu, kumachinda edu, nekumadzibaba edu, nokuti takakutadzirai.
  22114. Dan 9:9 Kuna Ishe Mwari wedu kune ngoni zhinji nekanganwiro zhinji, kunyange takamumukira.
  22115. Dan 9:10 Uye hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe mumirairo yake yaakaisa pamberi pedu neruoko rwevaranda vake vaporofita.
  22116. Dan 9:11 Hongu, Israeri wose wakadarika murairo wenyu nekutsauka, kuti vasateerera inzwi renyu; naizvozvo kutukwa kwadururwa pamusoro pedu, nemhiko yakanyorwa mumurairo waMozisi muranda waMwari, nokuti takamutadzira.
  22117. Dan 9:12 Zvino wakasimbisa mashoko ake aakataura kurwisana nesu, nekurwisa vatongi vakatitonga, nekuuisa pamusoro pedu chakaipa chikuru, nokuti pasi pematenga ose hakuna kuitwa sezvakaitwa paJerusarema.
  22118. Dan 9:13 Sezvazvakanyorwa mumurairo waMozisi, chakaipa chose ichi chatiwira; asi hatina kutsvaka chiso chaJehovha Mwari wedu, kuti titsauke pauipi hwedu tigonzwisisa chokwadi chenyu.
  22119. Dan 9:14 Naizvozvo Jehovha wakarindira pamusoro pechakaipa, ndokuchiuisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu wakarurama pamabasa ake ose aanoita, nokuti hatina kuteerera inzwi rake.
  22120. Dan 9:15 Zvino ikozvino, imwi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva panyika yeEgipita neruoko rwune simba, uye makazviitira zita sepazuva rino; takatadza, takaita zvakaipa.
  22121. Dan 9:16 Haiwa Ishe, nekuda kwekururama kwenyu kose, ndinokunyengeterai, dai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvadzorwe paguta renyu reJerusarema, gomo renyu dzvene; nokuti nekuda kwezvivi zvedu, uye nekuda kwezvakaipa zvemadzibaba edu, Jerusarema nevanhu venyu chava chinyadzo kune vose vakatipoteredza.
  22122. Dan 9:17 Naizvozvo ikozvino, imwi Mwari wedu, inzwai munyengetero wemuranda wenyu, nemikumbiro yake, uye penyesai chiso chenyu pamusoro penzvimbo yenyu tsvene iyo yava dongo, nekuda kwaIshe.
  22123. Dan 9:18 Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; zarurai maziso enyu, zvino muone kuparara kwedu kukuru, uye guta rinodanwa nezita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nekuda kwekururama kwedu, asi nekuda kwengoni dzenyu huru.
  22124. Dan 9:19 Haiwa Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, uye itai; musanonoka, nekuda kwenyu, imwi Mwari wangu; nokuti guta renyu nevanhu venyu zvinodanwa nezita renyu.
  22125. Dan 9:20 Zvino ndichiri kutaura, ndichinyengetera, nekurevurura chivi changu nechivi chevanhu vangu Israeri, nekusvitsa mukumbiro wangu pamberi paJehovha Mwari wangu, pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;
  22126. Dan 9:21 hongu, ndichiri kutaura mumunyengetero, iye uya murume Gabhirieri wandaiva ndaona muchiratidzo pakutanga, achibhururuswa nekukurumidza, wakandibata panguva inenge yechipo chemadekwani.
  22127. Dan 9:22 Zvino wakandizivisa ndokutaura neni, ndokuti: Dhaniyeri, ikozvino ndabuda kukupa umhare nekunzwisisa.
  22128. Dan 9:23 Pakutanga kwemikumbiro yako shoko rabuda, zvino ini ndauya kuzokuzivisa, nokuti unodikanwa kwazvo. Naizvozvo nzwisisa nyaya iyi, urangarire chiratidzo.
  22129. Dan 9:24 Mavhiki makumi manomwe akatemwa pamusoro pevanhu vako nepamusoro peguta rako dzvene, kupedza chitadzo nekugumisa chivi, uye kuita yanano pamusoro peuipi, nekupinza kururama kwekusingaperi, nekusimbisa chiratidzo nechiporofita, nekuzodza chitsvene chezvitsvene.
  22130. Dan 9:25 Naizvozvo ziva unzwisise, kuti kubva pakubuda kwemurairo wekuvandudza nekuvaka Jerusarema kusvika kuna Mesiasi Muchinda, mavhiki manomwe, nemavhiki makumi matanhatu nemaviri. Migwagwa yemuguta nemigero ichavakwazve, asi nekutambudzika kwenguva zhinji.
  22131. Dan 9:26 Zvino shure kwemavhiki makumi matanhatu nemaviri Mesiasi achagurwa, asi zvisingaitirwi iye; uye vanhu vemuchinda achauya vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; uye mugumo waro uchava nemafashame, uye kusvika pakuguma kwehondo kuparara kukuru kwakatemwa.
  22132. Dan 9:27 Zvino achasimbisa sungano nevazhinji kwevhiki imwe chete; uye pakati pevhiki achagumisa chibairo nechipo; uye pamusoro pebapiro rezvinyangadzo pachava nemuparadzi, iko kusvika pakuguma, nezvakatarwa, zvichadururirwa pamusoro pedongo.
  22133. Dan 10:1 Mugore rechitatu raKoreshi mambo wePerisia, chinhu chakazarurirwa Dhaniyeri, wezita rake rainzi Bheriteshazari. Zvino chinhu ichi chaiva chokwadi, uye hondo yaiva huru. Zvino wakanzwisisa chinhu ichi, ndokuva nekunzwisisa muchiratidzo.
  22134. Dan 10:2 Mumazuva iwayo, ini Dhaniyeri, ndaiva ndichirira mavhiki matatu emazuva.
  22135. Dan 10:3 Handina kudya chingwa chinoshuvika, uye mumuromo mangu hamuna kuuya nyama kana waini, uye handina kuzora mafuta, kusvika mavhiki matatu emazuva azadziswa.
  22136. Dan 10:4 Zvino muzuva remakumi maviri nemana remwedzi wekutanga, pandaiva ndiri parutivi rwerwizi rukuru, irwo Hidhekeri;
  22137. Dan 10:5 ipapo ndakasimudzira maziso angu, ndokuona, zvino tarira, umwe murume akapfeka mucheka wakapfava, uye chiuno chake chakasungwa negoridhe rakaisvonaka reUfazi.
  22138. Dan 10:6 Muviri wakewo wakaita sebheriri, nechiso chake sekuonekwa kwemheni, nemaziso ake semwenje yemoto, nemaoko ake nemakumbo ake zvakaita seruvara rwendarira yakakweshwa, uye inzwi remashoko ake rakaita semutinhiro wechaunga.
  22139. Dan 10:7 Zvino ini Dhaniyeri ndoga ndakaona chiratidzo ichi, nokuti varume vaiva neni havana kuona chiratidzo, asi kudedera kukuru kwakawira pamusoro pavo, zvekuti vakatizira kunozvivanza.
  22140. Dan 10:8 Naizvozvo ndakasiiwa ndiri ndoga, ndokuona chiratidzo chikuru ichi, uye hakuna kusara simba mandiri; nokuti kunaka kwangu kwakashandurwa kuva kuipa mandiri, uye handina kusara nesimba.
  22141. Dan 10:9 Zvakadaro ndakanzwa inzwi remashoko ake; zvino pandakanzwa inzwi remashoko ake, ipapo ini ndakava muhope huru pachiso changu, nechiso changu chiri pasi.
  22142. Dan 10:10 Zvino tarira, ruoko rwakandibata, irwo rwakandimisa ndichizungunuka pamabvi angu nezvanza zvemaoko angu.
  22143. Dan 10:11 Zvino wakati kwandiri: Iwe Dhaniyeri, murume anodikanwa kwazvo, nzwisisa mashoko andinotaura kwauri, uye mira pakumira kwako, nokuti ikozvino ndatumwa kwauri. Zvino wakati ataura shoko iri kwandiri, ndakamira ndichidedera.
  22144. Dan 10:12 Ipapo wakati kwandiri: Usatya, Dhaniyeri, nokuti kubva pazuva rekutanga rawakapa moyo wako kukunzwisisa nekuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa, zvino ini ndauya nekuda kwemashoko ako.
  22145. Dan 10:13 Asi muchinda weushe hwePerisia wakandipikisa mazuva makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikayeri, umwe wemachinda makuru, wakauya kuzondibatsira, zvino ini ndakasiiwako pamwe nemadzimambo ePerisia.
  22146. Dan 10:14 Ikozvino ndauya kuzokuzivisa zvichawira vanhu vako pakupera kwemazuva; nokuti chiratidzo ndechemazuva achauya.
  22147. Dan 10:15 Zvino wakati ataura mashoko akadai kwandiri, ndakamisa chiso changu chakatarira pasi, zvino ndakava mbeveve.
  22148. Dan 10:16 Zvino tarira, wakaita semufananidzo wevanakomana vevanhu wakabata miromo yangu; ipapo ndakazarura muromo wangu ndokutaura, ndokuti kune waiva akamira pamberi pangu: Ishe wangu, nechiratidzo kusuruvara kukuru kwangu kwashandukira pamusoro pangu, zvino handina kusara nesimba.
  22149. Dan 10:17 Nokuti muranda waishe wangu uyu angagona kutaura sei naishe wangu uyu? Nokuti kana ndiri ini, pakarepo handina kuva nesimba mandiri, nekufema hakuna kusara mandiri.
  22150. Dan 10:18 Zvino iye ane kuonekwa sekwemunhu wakawedzera ndokundibata, zvino wakandisimbisa.
  22151. Dan 10:19 Ndokuti: Munhu anodikanwa kwazvo, usatya; rugare kwauri, simba, hongu, simba. Zvino achiri kutaura neni, ndakasimbiswa, ndokuti: Ishe wangu ngaataure, nokuti mandisimbisa.
  22152. Dan 10:20 Zvino wakati: Unoziva here kuti ndakauirei kwauri? Asi ikozvino ndichadzokera kunorwa nemuchinda wePerisia; uye pandinenge ndabuda, zvino tarira, muchinda weGirisi achauya.
  22153. Dan 10:21 Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; uye hakuna kana umwe anobata neni pazvinhu izvi, kunze kwaMikayeri muchinda wenyu.
  22154. Dan 11:1 Iniwo mugore rekutanga raDhariyasi muMedhiya, ndakasimuka kusimbisa nekumutsigira.
  22155. Dan 11:2 Ikozvinowo ndava kuzokuudza chokwadi. Tarira, kuchamira amwe madzimambo matatu paPerisia; uye wechina achawana upfumi uzhinji pane vose; uye paachava nesimba kubudikidza neufumi hwake achamutsa vose kupikisa umambo hweGirisi.
  22156. Dan 11:3 Zvino mambo ane simba achasimuka, uye achatonga nekutonga kukuru, nekuita zvinoenderana nechido chake.
  22157. Dan 11:4 Zvino paachasimuka, umambo hwake huchagurwa, uye huchaparadzanisirwa kumhepo ina dzekumatenga, uye kwete kuvana vake, uye zvisingaenderani nekutonga kwake kwaakatonga; nokuti umambo hwake huchadzurirwa vamwewo kunze kweava.
  22158. Dan 11:5 Zvino mambo wekuchamhembe achava nesimba, neumwe wemachinda ake; zvino iye achava nesimba kumupfuura, zvino achatonga; kutonga kwake kuchava kutonga kukuru.
  22159. Dan 11:6 Zvino pakupera kwemakore, vachabatana, nokuti mukunda wamambo wekuchamhembe achaenda kuna mambo wekumaodzanyemba kunoita dzakaenzaniswa; asi haangarambi akabata simba reruoko; uye haangamiri, kana ruoko rwake; asi mukunda achapiwa, nevakamuunza, newakamubereka, newakamusimbisa panguva idzi.
  22160. Dan 11:7 Asi kuchasimuka umwe kubva padavi remidzi yake pachinzvimbo chake; uye achauya nehondo, uye achapinda munhare dzamambo wekumaodzanyemba, uye achabata nekuvarwisa ndokukunda.
  22161. Dan 11:8 Navamwari vavo pamwe nemachinda avo pamwe nemidziyo yavo inokosha yesirivha neyegoridhe achatapira kuEgipita; iyewo achaenderera kweamwe makore kupfuura mambo wekumaodzanyemba.
  22162. Dan 11:9 Naizvozvo mambo wekuchamhembe achapinda paumambo ndokudzokera kunyika yake.
  22163. Dan 11:10 Asi vanakomana vake vachaenda kunorwa, uye vachaunganidza chaunga chevarwi vakuru. Zvino achauya zvirokwazvo, ndokufashamira, ndokupfuura, ipapo achadzoka ndokuenda kunorwa, kusvika kunhare yake.
  22164. Dan 11:11 Zvino mambo wekuchamhembe achatsamwa zvikuru, ndokubuda ndokurwa naye, namambo wekumaodzanyemba; iye achamutsa chaunga chikuru, asi chaunga ichi chichapiwa muruoko rwake.
  22165. Dan 11:12 Chaunga chichinge chabviswa, moyo wake uchazvikudza; uye achawisira pasi vane makumi ezvuru, asi haangavi nesimba.
  22166. Dan 11:13 Nokuti mambo wekumaodzanyemba achadzoka, zvino achamisa chaunga chakakura pane chekutanga, uye pakupera kwenguva dzemakore achasvika zvirokwazvo ane hondo huru nenhumbi zhinji.
  22167. Dan 11:14 Zvino panguva idzodzo kuchasimuka vazhinji kurwisa mambo wekuchamhembe; uye vane hasha vevanhu vako vachazvikudza kuti vasimbise chiratidzo, asi vachagumburwa.
  22168. Dan 11:15 Naizvozvo mambo wekumaodzanyemba achasvika, ndokututa murwi, ndokutapa guta rakashoshewa kwazvo; uye maoko ekuchamhembe haangamiri, nevanhu vake vakasarudzwa; uye hakungavi nesimba rekumira.
  22169. Dan 11:16 Asi uyo anouya kumurwisa achaita zvinoenderana nechido chake; uye hakuna angamira pamberi pake; uye achamira panyika yakaisvonaka, uye kuparadzwa kuchava muruoko rwake.
  22170. Dan 11:17 Zvino acharinzira chiso chake kupinda nesimba reumambo hwake hwose, nevakarurama vanaye, achaita saizvozvo; uye achamupa mukunda wemukadzi kuti amuparadze; asi haangamiri, haangavi wake.
  22171. Dan 11:18 Uye achatendeusira chiso chake kuzviwi, zvino achatora vazhinji; asi muchinda achagumisa kushoorwa kwake kwaari, kunze kwekuti achadzosera kushoorwa kwake kwaari.
  22172. Dan 11:19 Zvino acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yekwake; asi achagumburwa ndokuwa, ndokusawanikwa.
  22173. Dan 11:20 Zvino pachinzvimbo chake pachasimuka umwe achaita kuti mukwiridzi wemutero apfuure pakubwinya kweumambo, asi mukati memazuva mashoma achaparadzwa, pasina kutsamwa kukuru, uye pasina hondo.
  22174. Dan 11:21 Zvino pachasimuka pachinzvimbo chake anoshoreka, wavasingazopi rukudzo rweumambo; asi achapinda parugare ndokutora umambo nemashoko ekubata kumeso.
  22175. Dan 11:22 Zvino maoko efashame vachayeredzwa kubva pamberi pake, uye vachagurwa, honguwo, muchinda wesungano.
  22176. Dan 11:23 Zvino pashure pekusungana naye achabata nekunyengera, nokuti achakwira ndokuva ane simba ane rudzi rudiki.
  22177. Dan 11:24 Parugare achapinda nepanzvimbo dzakaorera dzedunhu; zvino achaita madzibaba ake nemadzibaba emadzibaba ake zvaasina kumboita; achaparadzira pakati pavo zvakajimbiwa, nezvakapambiwa, nefuma. Zvino achanangisa mazano ake pamusoro pedzinhare, asi kusvika yava nguva.
  22178. Dan 11:25 Zvino achamutsa simba rake nemoyo wake kurwisa mambo wekuchamhembe nehondo huru. Zvino mambo wekuchamhembe achaenda kunorwa nehondo huru uye ine simba kwazvo-kwazvo; asi haangamiri, nokuti vacharonga mazano kumurwisa.
  22179. Dan 11:26 Hongu, vanodya mugove wake wekudya vachamuparadza, nehondo yake ichayeredza, uye vazhinji vachawa vaurawa.
  22180. Dan 11:27 Zvino moyo yemadzimambo awa maviri iri pane zvakaipa; uye vachataura nhema patafura imwe; asi hazvingabudiriri, nokuti kuguma kuchavapo panguva yakatarwa ichauya.
  22181. Dan 11:28 Zvino achadzokera kunyika yake nefuma zhinji; nemoyo wake uchapikisa sungano tsvene; zvino achaita ndokudzokera kunyika yake.
  22182. Dan 11:29 Panguva yakatarwa achadzokera, ndokuuya akananga kuchamhembe; asi hazvingavi sepakutanga kana sepakupedzisira.
  22183. Dan 11:30 Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kumurwisa; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka ndokutsamwa pamusoro pesungano tsvene, ndokuita ndokudzokera. Zvino achava nehanya nevakasiya sungano tsvene.
  22184. Dan 11:31 Zvino maoko achamira achibva kwaari, uye vachasvibisa nzvimbo tsvene, iyo nhare, uye vachabvisa chibairo chezuva nezuva, ndokumisa chinyangadzo chinoparadza.
  22185. Dan 11:32 Nevanoitira sungano zvakaipa achavasvibisa nemashoko ekubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachava vakasimba, uye vachaita.
  22186. Dan 11:33 Zvino vanonzwisisa pakati pevanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachawa nemunondo, uye nemurazvo wemoto, neutapwa, uye nekupambiwa, mazuva mazhinji.
  22187. Dan 11:34 Zvino pavanenge vachiwa, vachabatsirwa nerubatsiro rudiki; asi vazhinji vachanamatira kwavari nemashoko ekubata kumeso.
  22188. Dan 11:35 Asi vamwe pane vanonzwisisa vachawa, kuvaedza nekuvanatsa, nekuvachenesa, kusvika panguva yekupedzisira; nokuti pachava nenguva yakatarwa inouya.
  22189. Dan 11:36 Zvino mambo achaita zvinoenderana nechido chake, uye achazvikudza, nekuzviita mukuru kupfuura mwari umwe neumwe, uye achataura zvinhu zvinoshamisa kupikisa Mwari wavamwari, uye achabudirira kusvika kutsamwa kwapera; nokuti zvakatemwa zvichaitwa.
  22190. Dan 11:37 Zvino haangarangariri Mwari wemadzibaba ake, kana chishuvo chevakadzi; uye haangarangariri mwari upi neupi, nokuti achazvikudza kupfuura vose.
  22191. Dan 11:38 Asi pachinzvimbo chake achakudza mwari wenhare zhinji; uye mwari madzibaba ake waasina kuziva achamukudza negoridhe, uye nesirivha, uye nemabwe anokosha, uye nezvinhu zvinodikanwa.
  22192. Dan 11:39 Uye achaita panhare zhinji dzine simba namwari wevatorwa, waacharangarira achimuwedzera rumbidzo. Uye achaita kuti vatonge pamusoro pevazhinji, uye achagovera nyika nemutengo.
  22193. Dan 11:40 Zvino panguva yekupedzisira mambo wekuchamhembe achamusundidzira; uye mambo wekumaodzanyemba achauya kuzomurwisa sechamupupuri, ane ngoro nevatasvi vemabhiza nezvikepe zvizhinji. Zvino achapinda mudzinyika, uye achakukura ndokupfuura.
  22194. Dan 11:41 Achapindawo munyika yakaisvonaka; uye zhinji dzichawa; asi idzi dzichapukunyuka paruoko rwake: Edhomu, neMoabhu, neyakanakisisa yevana vaAmoni.
  22195. Dan 11:42 Achatandavadzirawo ruoko rwake pamusoro pedzinyika; uye nyika yeEgipita haingapukunyuki.
  22196. Dan 11:43 Asi achava nesimba pamusoro pefuma yakavanzwa yegoridhe neyesirivha, nepamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveEgipita; uye vaRibhia nevaItiyopiya vachava pamatsimba ake.
  22197. Dan 11:44 Asi mashoko anobva kumabvazuva nekumaodzanyemba achamuvhundusa; naizvozvo achabuda nehasha huru kunoparadza nekupedza chose vazhinji.
  22198. Dan 11:45 Zvino achadzika matende emuzinda wake pakati pemakungwa pagomo rakaisvonaka dzvene; zvakadaro achasvika pakuguma kwake, uye haangavi nemubatsiri.
  22199. Dan 12:1 Zvino panguva iyo Mikayeri achasimuka, muchinda mukuru, anomiririra vana vevanhu vako. Zvino pachava nenguva yekutambudzika, isina kumbovako kubva pakuvapo kwerudzi kusvika panguva iyo. Asi panguva iyo vanhu vako vachanunurwa, umwe neumwe achawanikwa akanyorwa mubhuku.
  22200. Dan 12:2 Zvino vazhinji vevarere muguruva renyika vachamuka, vamwe vachienda kuupenyu hwekusingaperi, uye vamwe vachienda kukunyadziswa kuzhinji nekuzvidzwa kwekusingaperi.
  22201. Dan 12:3 Zvino vakachenjera vachapenya sekubwinya kwemuchadenga, uye vachadzorera vazhinji kukururama, senyeredzi kusvika rinhi narinhi.
  22202. Dan 12:4 Asi iwe Dhaniyeri, vhara mashoko, usimbise nechidhindo bhuku, kusvika panguva yekupedzisira; vazhinji vachamhanya kuenda uko neuko, uye ruzivo rwuchawanzwa.
  22203. Dan 12:5 Zvino ini Dhaniyeri ndakaona, uye tarira, vamwe vaviri vakamira, umwe ari kurutivi runo rwemahombekombe erwizi uye umwe ari kurutivi urwo rwemahombekombe erwizi.
  22204. Dan 12:6 Zvino kwakanzi kumurume waiva akapfeka mucheka wakapfava, waiva pamusoro pemvura yerwizi: Kusvika rinhi kuti zvipere zvishamiso izvi?
  22205. Dan 12:7 Zvino ndakanzwa murume waiva akapfeka mucheka wakapfava, iye waiva pamusoro pemvura yerwizi, paakabatira ruoko rwake rwerudyi neruoko rwake rweruboshwe kumatenga, ndokupika naiye anorarama nekusingaperi, kuti zvichavapo kwenguva yakatarwa, nguva dzakatarwa, nehafu, nepaanenge apedzisa kuputsanya simba revanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
  22206. Dan 12:8 Zvino ndakanzwa, asi handina kunzwisisa. Ipapo ndakati: Ishe wangu, kuguma kwezvinhu izvi chii?
  22207. Dan 12:9 Iye ndokuti: Chienda, Dhaniyeri, nokuti mashoko awa akavharwa nekusimbiswa nechidhindo kusvika panguva yekupedzisira.
  22208. Dan 12:10 Vazhinji vachanatswa nekucheneswa nekuongororwa, asi vakaipa vachaita zvakaipa; zvino hapana wevakaipa achanzwisisa; asi vakachenjera vachanzwisisa.
  22209. Dan 12:11 Zvino kubva panguva iyo kwakabviswa chibairo chezuva nezuva, nechinyangadzo chinoparadza chichamiswa, zvichavapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe.
  22210. Dan 12:12 Wakaropafadzwa anomirira ndokusvika pamazuva churu nemazana matatu nemakumi matatu nemashanu.
  22211. Dan 12:13 Asi iwe, enda kusvika pakuguma; nokuti uchazorora, ndokumira pamugove wako pakupera kwemazuva
  22212. Hos 1:1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosiya mwanakomana waBheeri, pamazuva aUziya, Jotami, Ahazi, Hezekia, madzimambo aJudha, uye pamazuva aJerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsraeri.
  22213. Hos 1:2 Kutanga kwekutaura kwaJehovha kubudikidza naHosiya. Zvino Jehovha wakati kuna Hosiya: Enda unozvitorera mukadzi wekufeva-feva nevana vekufeva-feva; nokuti nyika inofeva zvikuru vachibva pakutevera Jehovha.
  22214. Hos 1:3 Naizvozvo wakaenda ndokutora Gomeri mukunda waDhibhiraimi; iye wakabata mimba ndokumuberekera mwanakomana.
  22215. Hos 1:4 Zvino Jehovha wakati kwaari: Tumidza zita rake kuti Jezireeri, nokuti pachine chinguva, ipapo ndichatsiva ropa zhinji reJezireeri paimba yaJehu, uye ndichagumisa umambo hweimba yaIsraeri.
  22216. Hos 1:5 Zvino zvichaitika pazuva iro kuti ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.
  22217. Hos 1:6 Zvino wakabatazve mimba ndokubereka mukunda; Jehovha ndokuti kwaari: Tumidza zita rake kuti Ro-Ruhama; nokuti handichazonzwirizve imba yaIsraeri nyasha, asi ndichavabvisa zvekuvabvisa.
  22218. Hos 1:7 Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, uye ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, uye handingavaponesi neuta, kana nemunondo, kana nehondo, nemabhiza, kana nevatasvi vemabhiza.
  22219. Hos 1:8 Wakati arumura Ro-Ruhama, wakabata mimba ndokubereka mwanakomana.
  22220. Hos 1:9 Jehovha ndokuti: Tumidza zita rake kuti Ro-Ami; nokuti hamusi vanhu vangu, neni handisi wenyu.
  22221. Hos 1:10 Zvakadaro uwandu hwevana vaIsraeri huchava sejecha regungwa, risingayerwi uye risingaverengwi. Zvino zvichaitika, panzvimbo yekuti kunzi kwavari: Hamusi vanhu vangu, kuchanzi kwavari: Vana vaMwari mupenyu.
  22222. Hos 1:11 Ipapo vana vaJudha nevana vaIsraeri vachaunganidzwa pamwe, ndokuzvigadzira mukuru umwe chete, ndokukwira kubuda munyika; nokuti richava guru zuva reJezireeri.
  22223. Hos 2:1 Itii kuvanin’ina venyu: Ami; nekuhanzvadzi dzenyu: Ruhama.
  22224. Hos 2:2 Kakavadzanai namai venyu, kakavadzanai; nokuti haasi mukadzi wangu, neni handisi murume wake. Uye ngaabvise ufeve hwake uzhinji kubva pachiso chake, neupfambi hwake uzhinji kubva pakati pemazamu ake;
  22225. Hos 2:3 zvimwe ndimukurure ashame, nekumumisa sepazuva raakazvarwa, nekumuita serenje, nekumumisa senyika yakaoma, nekumuuraya nenyota.
  22226. Hos 2:4 Zvino handinganzwiri vana vake ngoni, nokuti ivo vana veufeve uzhinji.
  22227. Hos 2:5 Nokuti mai vavo vakafeva; iye akavazvara wakaita chinyadzo, nokuti akati: Ndichatevera vadikanwi vangu, ivo vanopa zvekudya zvangu, nemvura yangu, makushe angu, neshinda yangu, mafuta angu, nezvinwiwa zvangu.
  22228. Hos 2:6 Naizvozvo, tarira, ndichashoshera nzira yako neminzwa, nekumuvakira chidziro, kuti asawana nzira dzake.
  22229. Hos 2:7 Zvino achadzingirira vadikanwi vake, asi haangavabati; uye achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati: Ndichaenda ndigodzokera kumurume wangu wekutanga, nokuti ipapo zvaiva nani kwandiri kupfuura ikozvino.
  22230. Hos 2:8 Nokuti waiva asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini itsva, nemafuta, nekumuwanzira sirivha, negoridhe, zvavaibatira Bhaari nazvo.
  22231. Hos 2:9 Naizvozvo ndichadzoka nditore zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yayo, uye ndichabvisa makushe angu neshinda yangu, zvekufukidza kushama kwake.
  22232. Hos 2:10 Zvino ikozvino ndichafukura kunyadza kwake pameso pevadikanwi vake; zvino hakuna achamununura paruoko rwangu.
  22233. Hos 2:11 Ndichagumisawo mufaro wake wose, mabiko ake, kugara kwemwedzi kwake, nemasabata ake, nemitambo yake yose yakatarwa.
  22234. Hos 2:12 Zvino ndichaparadza muzambiringa wake nemuonde wake, zvaaiti: Ndiwo mubairo weufeve hwangu vadikanwi vangu wavakandipa. Uye ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya.
  22235. Hos 2:13 Zvino ndichatsiva pamusoro pake mazuva avana Bhaari, vaaipisira zvinonhuhwira, achichishongedza nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, ndokutevera vadikanwi vake, asi ini wakandikanganwa, anoreva Jehovha.
  22236. Hos 2:14 Naizvozvo tarira, ndichamukwezva, ndokumuunza murenje, ndokutaura kumoyo wake.
  22237. Hos 2:15 Zvino ndichamupa minda yake yemizambiringa kubva ipapo, nemupata weAkori kuva mukova wetariro. Zvino achaimba ipapo sepamazuva eudiki hwake, uye sepazuva raakakwira kubuda munyika yeEgipita.
  22238. Hos 2:16 Zvino zvichadai nezuva iro, anoreva Jehovha: Uchandiidza Murume wangu; uye haungazondiidzizve: Bhaari wangu.
  22239. Hos 2:17 Nokuti ndichabvisa mazita avana Bhaari mumuromo make; uye havangazorangarirwizve nemazita avo.
  22240. Hos 2:18 Zvino pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango uye neshiri dzekumatenga nezvinokambaira zvepasi. Zvino ndichavhuna uta nemunondo nehondo kubva panyika, ndivararise pasi vakachengeteka.
  22241. Hos 2:19 Ndichatsidza kukuwana uve wangu nekusingaperi; hongu, ndichatsidzira kukuwana uve wangu mukururama nemumutongo nemurudo rweunyoro nemutsitsi huru.
  22242. Hos 2:20 Ndichatsidzirawo kukuwana uve wangu mukutendeka. Zvino uchaziva Jehovha.
  22243. Hos 2:21 Zvino zvichaitika pazuva iro, ndichapindura, anoreva Jehovha. Ndichapindura matenga, naiwo achapindura nyika,
  22244. Hos 2:22 nenyika ichapindura zviyo, newaini itsva, nemafuta; izvowo zvichapindura Jezireeri.
  22245. Hos 2:23 Zvino ndichazvisimira iye panyika, uye ndichamunzwira ngoni waiva asina kunzwirwa ngoni, uye ndichati kune vaiva vasiri vanhu vangu: Imwi muri vanhu vangu; uye ivo vachati: Mwari wangu.
  22246. Hos 3:1 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Endazve, ude mukadzi anodikanwa neshamwari [yake], asi ari chifeve, saJehovha achida vana vaIsraeri, asi vachitarisa kune vamwe vamwari, uye vachida zvingwa zvezvibereko zvemuzambiringa zvakaomeswa.
  22247. Hos 3:2 Zvino ndakazvitengera iye nemakobiri esirivha gumi nemashanu, nehomeri yebhari, nehafu yehomeri yebhari.
  22248. Hos 3:3 Zvino ndakati kwaari: Uchagara uri wangu kwemazuva mazhinji; usaita ufeve uye usava weumwe murume, saizvozvo iniwo kwauri.
  22249. Hos 3:4 Nokuti vana vaIsraeri vachagara mazuva mazhinji, vasina mambo, uye vasina muchinda, uye vasina chibairo, uye vasina shongwe yechifananidzo, uye vasina efodhi kana terafimi.
  22250. Hos 3:5 Pashure vana vaIsraeri vachadzoka, zvino vachitsvaka Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo; uye vachauya kuna Jehovha vachitya, nekurunako rwake, pamazuva ekupedzisira.
  22251. Hos 4:1 Inzwai shoko raJehovha, imwi vana vaIsraeri, nokuti Jehovha ane gakava nevagari vepanyika, nokuti hapana chokwadi, uye hapana ngoni, uye hapana kuziva Mwari panyika.
  22252. Hos 4:2 Pane kupika, nekureva nhema, nekuuraya, nekuba, nekufeva, vanopaza dzimba, uye mhosva yeropa inobata mhosva yeropa.
  22253. Hos 4:3 Naizvozvo nyika icharira, uye ani nani anogaramo achaziya, pamwe nemhuka dzesango uye pamwe neshiri dzekumatenga; honguwo, hove dzegungwa dzichabviswa.
  22254. Hos 4:4 Asi kusava nemunhu anokakavara, uye kusava neanoshoora umwe, nokuti vanhu venyu vakaita sevanokakavadzana nemupristi.
  22255. Hos 4:5 Naizvozvo uchagumburwa masikati, hongu nemuporofita achagumburwa pamwe newe usiku; uye ndichaparadza mai vako.
  22256. Hos 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nekushaiwa ruzivo; nokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndichakuramba, kuti usava mupristi kwandiri; zvawakakanganwa murairo waMwari wako, iniwo ndichakanganwa vana vako.
  22257. Hos 4:7 Pakuwanda kwavo, saizvozvo vakanditadzira. Ndichashandura rukudzo rwavo kuva chinyadzo.
  22258. Hos 4:8 Vakadya chivi chevanhu vangu, uye vakasimudzira mweya weupenyu wavo kuchitadzo chavo.
  22259. Hos 4:9 Zvino zvichaitika, sevanhu mupristi achadaro. Zvino ndichavaranga nekuda kwenzira dzavo, nekuvapa mubairo wezviito zvavo.
  22260. Hos 4:10 Nokuti vachadya, asi havangaguti, vachafeva, asi havangawandi, nokuti vakasiya kurangarira Jehovha.
  22261. Hos 4:11 Ufeve, newaini, newaini itsva, zvinobvisa moyo.
  22262. Hos 4:12 Vanhu vangu vanobvunza danda ravo, uye tsvimbo yavo inovaudza; nokuti mweya weufeve uzhinji wakavatsausa, kuti vafeve vachibva pasi paMwari wavo.
  22263. Hos 4:13 Vanoita zvibairo pamisoro yemakomo, nekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pazvikomo, pasi pemuoki, nemupopirari, nemuti mukuru, nokuti mumvuri wayo wakanaka; naizvozvo vakunda venyu vachaita ufeve, nevamwenga venyu vachaita chipfambi.
  22264. Hos 4:14 Handingarangi vakunda venyu kana vachiita ufeve, kana vamwenga venyu kana vachiita chipfambi, nokuti ivo vamene vakazviparadzanisa nepfambi zhinji, uye vanobaira zvibairo pamwe nepfambi dzepatembere, naizvozvo vanhu vasina kunzwisisa vachawisirwa pasi.
  22265. Hos 4:15 Kunyange iwe, Israeri, uchiita ufeve, Judha ngaarege kuva nemhosva, uye musasvika kuGirigari, uye musakwira kuBheti-Avheni, uye musapika muchiti: NaJehovha mupenyu!
  22266. Hos 4:16 Nokuti Israeri anokoma, setsiru rinokoma; ikozvino Jehovha achamufudza segwayana panzvimbo yakafaranuka.
  22267. Hos 4:17 Efuremu wakabatana nezvifananidzo, muregei.
  22268. Hos 4:18 Zvinwiwa zvavo zvapera; vakaramba vachifeva; vanovadzivirira vanoda zvekuda chinyadzo.
  22269. Hos 4:19 Mhepo yakamusungira pamapapiro ake; zvino vachanyara nekuda kwezvibairo zvavo.
  22270. Hos 5:1 Inzwai izvi, imwi vapristi, uye teererai, imwi imba yaIsraeri, uye ipai nzeve, imwi imba yamambo, nokuti mutongo wanangana nemwi, nokuti mava musungo paMizipa, uye mumbure wakatandirwa paTabhori.
  22271. Hos 5:2 Zvino vapanduki vakadzika pakuuraya, asi ndichava murairi wavo vose.
  22272. Hos 5:3 Ini ndinoziva Efuremu, uye Israeri haana kuvanzika kwandiri; nokuti ikozvino, iwe Efuremu, wakafeva, Israeri wakasvibiswa.
  22273. Hos 5:4 Havangataridziri zviito zvavo kuti vadzokere kuna Mwari wavo; nokuti mweya weufeve uzhinji uri pakati pavo, uye havazivi Jehovha.
  22274. Hos 5:5 Zvino kuzvikudza kwaIsraeri kunovapupurira pachiso chake; naizvozvo Israeri naEfuremu vachagumburwa pachitadzo chavo; Judhawo achagumburwa pamwe navo.
  22275. Hos 5:6 Vachaenda nemakwai avo uye nemombe dzavo kunotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; wakazvibvisa kwavari.
  22276. Hos 5:7 Vakaita nekunyengera kuna Jehovha, nokuti vakabereka vechirudzi. Ikozvino mwedzi unogara uchavapedza nemigove yavo.
  22277. Hos 5:8 Ridzai nyere muGibhiya, hwamanda paRama; ridzai mhere paBheti-Avheni muti: Shure kwako, iwe Bhenjamini.
  22278. Hos 5:9 Efuremu achava dongo pazuva rekurangwa; pakati pemarudzi aIsraeri ndakazivisa zviri chokwadi.
  22279. Hos 5:10 Machinda aJudha aiva akafanana nevanobvisa hoko; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.
  22280. Hos 5:11 Efuremu wakamanikidzwa, wakapwanyiwa pakutongwa, nokuti wakatenda kutevera murairo.
  22281. Hos 5:12 Naizvozvo ndichava sechipfunho kuna Efuremu, uye sekuora kuimba yaJudha.
  22282. Hos 5:13 Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha vanga rake, ipapo Efuremu wakaenda kuAsiriya, ndokutuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haana kugona kukurapai, uye haana kubvisa vanga kubva kwamuri.
  22283. Hos 5:14 Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba diki kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichabvisa, zvino hakungavi nemununuri.
  22284. Hos 5:15 Ndichaenda ndidzokere kunzvimbo yangu, kusvika vabvuma mhosva yavo, uye vatsvaka chiso changu; pakumanikidzika kwavo vachanditsvaka nekukurumidza.
  22285. Hos 6:1 Uyai tidzokere kuna Jehovha; nokuti iye wakabvambura, asi achatipodza, wakarova, asi achatisunga [maronda].
  22286. Hos 6:2 Achativandudza shure kwemazuva maviri; nezuva rechitatu achatimutsa, zvino tichararama pamberi pake.
  22287. Hos 6:3 Ipapo tichaziva, tichadzingirira kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakagadzirwa semangwanani; uye achauya kwatiri semvura, semvura yekupedzisira neyekutanga panyika.
  22288. Hos 6:4 Efuremu, ndichaitei kwauri? Judha, ndichaitei kwauri? Nekuda kwekunaka kwenyu segore remangwanani, uye sedova remakuseni rinoenda.
  22289. Hos 6:5 Naizvozvo ndakavatema kubudikidza nevaporofita; ndakavauraya nemashoko emuromo wangu; uye mitongo yako yakaita sechiedza chinobuda.
  22290. Hos 6:6 Nokuti ndinoshuva rudo, uye kwete chibairo, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
  22291. Hos 6:7 Asi ivo sevanhu vakadarika sungano; ipapo vakaita nekunyengera kwandiri.
  22292. Hos 6:8 Giriyadhi iguta revanoita zvakaipa; rine makwapa eropa.
  22293. Hos 6:9 Uye semapoka ehondo anovandira munhu, mapoka evapristi anouraya panzira yeShekemi; nokuti vanoita zvinyadzo.
  22294. Hos 6:10 Paimba yaIsraeri ndakaona chinhu chinotyisa; ipo pane ufeve hwaEfuremu; Israeri wakasvibiswa.
  22295. Hos 6:11 Newewo, Judha, wakakugadzirira goho, pandaidzosa kutapwa kwevanhu vangu.
  22296. Hos 7:1 Kana ndichirapa Israeri, ipapo chitadzo chaEfuremu chinofukurwa, nezvakaipa zveSamariya; nokuti vanoita nhema, zvino mbavha inopinda, boka remakororo rinopamba kunze.
  22297. Hos 7:2 Asi havana kufungisisa mumoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; ikozvino zviito zvavo zvavakomba, zviri pamberi pechiso changu.
  22298. Hos 7:3 Vanofadza mambo neuipi hwavo, nemachinda nenhema dzavo.
  22299. Hos 7:4 Vose imhombwe zhinji; vakaita sechoto chakaveserwa nemubiki wechingwa; anorega kukuchidzira moto kana akanya mukanyiwa, kusvika pakuvira kwawo.
  22300. Hos 7:5 Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nekupisa kwewaini; iye akatandavadza ruoko rwake pamwe nevaseki.
  22301. Hos 7:6 Nokuti vakagadzirira moyo wavo sechoto, pavanenge vakavandira; mubiki wechingwa wavo anorara usiku hwose; mangwanani chinopfuta semurazvo wemoto.
  22302. Hos 7:7 Vanopisa vose sechoto, uye vanopedza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawa; hakuna pakati pavo anodana kwandiri.
  22303. Hos 7:8 Efuremu iye wakazvisanganisa nemarudzi; Efuremu chingwa chisina kushandurwa.
  22304. Hos 7:9 Vatorwa vakadya simba rake, asi iye haazivi; zvirokwazvo imvi dzakapararira paari, asi iye haazivi.
  22305. Hos 7:10 Zvino kuzvikudza kwaIsraeri kunopupura pachiso chake, asi havadzokeri kuna Jehovha Mwari wavo, uye havamutsvaki pane izvi zvose.
  22306. Hos 7:11 Zvino Efuremu wakaita senjiva dununu, isina njere; vanodana Egipita, vanoenda Asiriya.
  22307. Hos 7:12 Pavanoenda, ndichatandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzekumatenga; ndichavaranga ungano yavo sezvayakanzwa.
  22308. Hos 7:13 Vane nhamo, nokuti vakatiza kubva kwandiri; kuparara kwavari, nokuti vakandidarikira; kunyange ini ndakavadzikinura, zvakadaro ivo vakandirevera nhema.
  22309. Hos 7:14 Zvino havana kudana kwandiri nemoyo wavo, pavaiungudza pamibhedha yavo; vakazviunganidzira zviyo newaini itsva, vakandipandukira.
  22310. Hos 7:15 Kunyange ini ndakavaraira ndichisimbisa maoko avo, zvakadaro vanondifungira chakaipa.
  22311. Hos 7:16 Vanodzoka asi kwete kune Wekumusoro-soro; vakafanana neuta hunonyengera; machinda avo achawa nemunondo nekuda kwehasha dzerurimi rwavo. Ichi chichava chiseko chavo panyika yeEgipita.
  22312. Hos 8:1 Hwamanda pamuromo wako. [Achauya] segondo kurwisa imba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu, nekutadzira murairo wangu.
  22313. Hos 8:2 Vachadana kwandiri vachiti: Mwari wangu, isu Israeri tinokuzivai.
  22314. Hos 8:3 Israeri wakarasa zvakanaka. Muvengi achamuteverera.
  22315. Hos 8:4 Ivo vakagadza madzimambo, asi kwete kubva kwandiri; vakamisa machinda, asi ini ndisingazvizivi; pasirivha yavo negoridhe ravo vakazviitira zvifananidzo, kuti vagurwe.
  22316. Hos 8:5 Mhuru yako, iwe Samariya, yakakurasa; kutsamwa kwangu kwakavapfutira; kusvika rinhi vasingazokwanisi kuva vasina mhosva?
  22317. Hos 8:6 Nokuti ichiwo chakabva kuna Israeri; mupfuri wakachiita, uye hachisi Mwari; asi mhuru yeSamariya ichava mafufu.
  22318. Hos 8:7 Nokuti vanodzvara mhepo, zvino vachakohwa chamupupuri; hakungavi nezviyo zvimire; chipande hachingagadziri upfu; kana chichigadzira, vatorwa vachazvimedza.
  22319. Hos 8:8 Israeri wakamedzwa; ikozvino vava pakati pevechirudzi semudziyo usina chinofadza pauri.
  22320. Hos 8:9 Nokuti ivo vakakwira kuAsiriya, mbongoro yesango yoga pachayo. VaEfuremu vakahaya vadiwa.
  22321. Hos 8:10 Hongu, kunyange vakahaya pakati pevechirudzi, ikozvino ndichavaunganidza; zvino vachatanga kutapudzwa nekuda kwemutoro wamambo newemachinda.
  22322. Hos 8:11 Nokuti Efuremu wakawanza aritari dzekutadza, aritari dzichava kwaari dzekutadza.
  22323. Hos 8:12 Ndakamunyorera zvinhu zvikuru zvemurairo wangu, asi zvakaverengwa sechinhu chevatorwa.
  22324. Hos 8:13 Kana zviri zvibairo zvezvipo zvangu, vanobaira nyama, ndokudya, Jehovha haafadzwi nazvo. Ikozvino acharangarira zvakaipa zvavo, nekushanyira zvivi zvavo. Ivo vachadzokera kuEgipita.
  22325. Hos 8:14 Nokuti Israeri wakakanganwa Muiti wake, ndokuvaka matembere, uye Judha wakawanza maguta akashoshewa; asi ndichatuma moto pamusoro pemaguta ake, uye uchapedza mizinda yawo.
  22326. Hos 9:1 Rega kufara, iwe Israeri, kuve mufaro, semarudzi; nokuti iwe wakafeva uchibva kuna Mwari wako; wakada mubairo wechifeve pamaburiro ose ezviyo.
  22327. Hos 9:2 Buriro nechisviniro chewaini hazvingavapi zvekudya, uye waini itsva ichavanyengera.
  22328. Hos 9:3 Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera kuEgipita, uye vachadya zvisina kuchena paAsiriya.
  22329. Hos 9:4 Havangadururiri waini kuna Jehovha, uye havangamufadzi; zvibairo zvavo zvichava sechingwa chemariro kwavari; vose vanodya pachiri vachasvibiswa, nokuti chingwa chavo chemweya weupenyu wavo hachingasviki muimba yaJehovha.
  22330. Hos 9:5 Muchaitei nezuva remutambo wakatarwa, nepazuva remabiko aJehovha?
  22331. Hos 9:6 Nokuti tarirai, vakaenda nekuda kwekuparadza. Egipita richavaunganidza, Memifisi achavaviga; nzvimbo dzinofadza dzesirivha yavo, rukato rwuchadzigara nhaka, minzwa ichava mumatende avo.
  22332. Hos 9:7 Mazuva ekushanyirwa asvika, mazuva ekutsiva asvika; Israeri achaziva; muporofita ibenzi, munhu wemweya anopenga, nekuda kweuwandu hweuipi hwenyu, neruvengo rukuru.
  22333. Hos 9:8 Efuremu mushori kuna Mwari wangu; asi muporofita, rugombe rwemuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, ruvengo muimba yaMwari wake.
  22334. Hos 9:9 Vakazviodza zvakadzama, sepamazuva eGibhiya; acharangarira uipi hwavo, achashanyira zvivi zvavo.
  22335. Hos 9:10 Ndakawana Israeri akaita semazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu akaita sechibereko chekutanga pamuonde pakutanga kwacho; asi ivo vakaenda kuBhaari-Peori, vakazviparadzanisira kune zvinyadzo, vakava zvinyangadzo sepamadiro avo.
  22336. Hos 9:11 Kana ari Efuremu, rukudzo rwavo rwuchabhururuka seshiri, kubva pakubereka, uye kubva muchizvaro, uye kubva pakubata mimba.
  22337. Hos 9:12 Kunyange vakarera vana vavo, zvakadaro ndichavaita vafirwe, kusasara nemunhu. Zvirokwazvo, nhamowo kwavari pakubva kwangu kwavari.
  22338. Hos 9:13 Efuremu, sekuona kwangu Tire, wakasimwa panzvimbo yekugara, asi Efuremu achabudisira vana vake kumuurayi.
  22339. Hos 9:14 Vapei, Jehovha, muchapei? Vapei chizvaro chinosvosva, nemazamu akaoma.
  22340. Hos 9:15 Uipi hwavo hwose huri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nekuda kweuipi hwezviito zvavo, ndichavadzinga kubuda mumba mangu; handichazovadizve; machinda avo ose vapanduki.
  22341. Hos 9:16 Efuremu warohwa; mudzi wavo waoma; havangazobereki chibereko; hongu, kunyange vakabereka zvakadaro ndichauraya vadikanwi vechizvaro chavo.
  22342. Hos 9:17 Mwari wangu achavaramba, nokuti havana kumuteerera; uye vachava vadzungairi pakati pevechirudzi.
  22343. Hos 10:1 Israeri muzambiringa wakadururwa, anozviberekera chibereko; zvichienderana neuwandu hwechibereko chake wakawanza dziaritari; zvichienderana neunaku hwenyika yake vakaita shongwe dziri zvifananidzo zvakanaka.
  22344. Hos 10:2 Moyo wavo wakaparadzaniswa; ikozvino vachawanikwa vane mhosva; achaputsanya aritari dzavo; achaparadza shongwe dzavo dziri zvifananidzo.
  22345. Hos 10:3 Nokuti ikozvino vachati: Hatina mambo; nokuti hatina kutya Jehovha; zvino mambo achaitei kwatiri?
  22346. Hos 10:4 Vakataura mashoko, vachipika nhema pakuita sungano; saizvozvo mutongo uchabuka sesora rinouraya riri mumihoronga yemumunda.
  22347. Hos 10:5 Vagari veSamariya vachatya nekuda kwemhuru dzeBheti-Avheni; nokuti vanhu varo vacharira pamusoro paro, uye vapristi varo vachadedera naro, nekuda kwerukudzo rwaro, nokuti rwabva kwariri.
  22348. Hos 10:6 Hongu, richatakurirwa kuAsiriya kuva chipo kuna mambo Jarebhi; Efuremu achagamuchira chinyadzo, naIsraeri achanyara nezano rake.
  22349. Hos 10:7 Samariya ragurwa; mambo waro wakaita sechimuti pachiso chemvura.
  22350. Hos 10:8 Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, chivi chaIsraeri, zvichaparadzwa; munzwa nerukato ruzhinji zvichamera pamusoro pearitari dzavo; zvino vachati kumakomo: Tifukidzei. Nekuzvikomo: Wirai pamusoro pedu.
  22351. Hos 10:9 Iwe Israeri, wakatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; hondo paGibhiya kurwisa vana vezvakaipa haina kuvabata.
  22352. Hos 10:10 Zviri muchishuwo changu kuti ndichavaranga; uye vanhu vachavaunganira, pavachazvisungirira pazvakaipa zvavo zviviri.
  22353. Hos 10:11 Zvino Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura; asi ini ndakapfuura nepamusoro perunako rwemutsipa wake; ndichatasvisa Efuremu; Judha acharima, Jakove achaputsa mavhinga ake.
  22354. Hos 10:12 Zvidzvarirei mukururama, mukohwe mungoni; vundai gombo renyu; nokuti inguva yekutsvaka Jehovha, kusvika asvika achinaisa kururama pamusoro penyu.
  22355. Hos 10:13 Makarima uipi, makakohwa chitadzo, makadya chibereko chenhema, nokuti makavimba nenzira yenyu, muuwandu hwemhare dzenyu.
  22356. Hos 10:14 Naizvozvo bope richamuka pakati pevanhu venyu, nenhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bheti-Aribheri nezuva rehondo; mai vakaputsanyiwa pamusoro pevana.
  22357. Hos 10:15 Richaita saizvozvi Bheteri kwamuri nekuda kwekuipa kwenyu kukuru; murungwanani mambo waIsraeri achagurwa zvekugurwa.
  22358. Hos 11:1 Israeri achiri mwana ndakamuda, ndokudana mwana wangu abude muEgipita.
  22359. Hos 11:2 Pavaivadana, saizvozvo vakabva pamberi pavo; vakabaira vana Bhaari, uye vakapisira zvifananidzo zvakavezwa zvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  22360. Hos 11:3 Zvino ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavabata nemaoko avo, asi havana kuziva kuti ndakavaporesa.
  22361. Hos 11:4 Ndakavakweva nemabote emunhu, nemabote erudo; ndakava kwavari seanobvisa joko pashaya dzavo, ndakarerekera kwavari, ndakavapa zvekudya.
  22362. Hos 11:5 Haangadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiriya achava mambo wake, nokuti vakaramba kudzoka.
  22363. Hos 11:6 Zvino munondo uchagara pamaguta ake, uye uchapedza mazariro ake nekuadya, nekuda kwemazano avo.
  22364. Hos 11:7 Zvino vanhu vangu vakarerekera pakudzokera shure kubva kwandiri, kunyange vachivadanira kune Wekumusoro-soro, hakutongorina achamusimudzira.
  22365. Hos 11:8 Ndingakupa kumwe sei, Efuremu? Ndingakukumikidza kumwe here, Israeri? Ndingakuita sei seAdhima? Ndingakumisa here seZebhoimi? Moyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzapfutidzwa pamwe chete.
  22366. Hos 11:9 Handingaiti kupfuta kwekutsamwa kwangu; handingadzoki kuparadza Efuremu; nokuti ndiri Mwari, uye handisi munhu, Mutsvene pakati penyu, uye handingapindi muguta.
  22367. Hos 11:10 Vachatevera Jehovha; achaomba seshumba; nokuti iye achaomba, uye vana vachadedera kubva kumavirazuva.
  22368. Hos 11:11 Vachadedera seshiri kubva Egipita, uye senjiva kubva panyika yeAsiriya; zvino ndichavagarisa mudzimba dzavo, anoreva Jehovha.
  22369. Hos 11:12 Efuremu vakandikomberedza nenhema, uye imba yaIsraeri nekunyengera; asi Judha achiri kutonga naMwari, uye wakatendeka pamwe nevatsvene.
  22370. Hos 12:1 Efuremu anodya mweya, uye anodzingirirana nemhepo yekumabvazuva; anowedzera zuva rose nhema nekuparara; uye vanoita sungano nevaAsiriya, uye mafuta anotakurirwa kuEgipita.
  22371. Hos 12:2 Jehovha ane gakavawo naJudha, uye acharanga Jakove zvichienderana nenzira dzake; zvichienderana nezviito zvake achamutsiva.
  22372. Hos 12:3 Muchizvaro wakabata mukoma wake nechitsitsinho, uye nesimba rake wakaita mutsimba naMwari.
  22373. Hos 12:4 Hongu, wakava nesimba pamusoro pemutumwa, uye wakakunda; wakachema misodzi, ndokuita mukumbiro kwaari; wakamuwana paBheteri, uye ipapo wakataura nesu.
  22374. Hos 12:5 Iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha chirangaridzo chake.
  22375. Hos 12:6 Naizvozvo iwe, tendeukira kuna Mwari wako; chengeta ngoni nemutongo, uye ramba uchimirira Mwari wako.
  22376. Hos 12:7 Mutengesi, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake; anofarira kumanikidza.
  22377. Hos 12:8 Zvino Efuremu anoti: Zvakadaro ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri uipi huri chivi.
  22378. Hos 12:9 Asi ndiri Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeEgipita; ndichakugarisaizve mumatende, sepamazuva emitambo yakatarwa.
  22379. Hos 12:10 Ndakataurawo kuvaporofita, uye ini ndakawanza zviratidzo; uye ndakashandisa mifananidzo neushumiri hwevaporofita.
  22380. Hos 12:11 Huripo here uipi paGiriyadhi? Zvirokwazvo havana maturo. Vanobaira nzombe paGirigari; hongu aritari dzavo dzakaita sematutu pamihoronga yeminda.
  22381. Hos 12:12 Zvino Jakove wakatizira kunyika yeSiriya, uye Israeri wakashandira mukadzi, wakafudza nekuda kwemukadzi.
  22382. Hos 12:13 Uye nemuporofita Jehovha wakakwidza Israeri kubva muEgipita, uye nemuporofita wakachengetedzeka.
  22383. Hos 12:14 Efuremu vakatsamwisa zvinorwadza kwazvo; naizvozvo achasiya ropa rake pamusoro pake; uye Ishe wake achadzosera kushoorwa kwake kwaari.
  22384. Hos 13:1 Efuremu paakataura, kwaivapo kudedera; iye wakazvikudza kwaIsraeri; asi paakava nemhosva pana Bhaari, wakafa.
  22385. Hos 13:2 Zvino ikozvino vanoramba vachitadza, uye vakazviitira chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa nesirivha yavo, zvifananidzo zvinoenderana nekunzwisisa kwavo, zvose basa remhizha, vanoti pamusoro pazvo: Vanhu vanobaira vachatsvoda mhuru.
  22386. Hos 13:3 Naizvozvo vachava segore remangwanani, uye sedova rerungwanani rinopfuura, sehundi ichipepereswa kubva paburiro, uye seutsi hunobuda pachirasautsi.
  22387. Hos 13:4 Zvakadaro ini ndiri Jehovha Mwari wako kubva panyika yeEgipita; uye haungazivi umwe mwari kunze kwangu, nokuti hakuna muponesi kunze kwangu.
  22388. Hos 13:5 Ini ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
  22389. Hos 13:6 Zvichienderana nemafuro avo, saizvozvo vakaguta; vakati vaguta, moyo wavo wakazvikudza; naizvozvo vakandikanganwa.
  22390. Hos 13:7 Naizvozvo ndichava kwavari seshumba; seingwe panzira ndicharamba ndakatarira.
  22391. Hos 13:8 Ndichasangana navo sebheya rakatorerwa mbwanana, uye ndichatsemura chakavhariridza moyo wavo; zvino ipapo ndichavadya seshumbakadzi; chikara chesango chichavabvamburanya.
  22392. Hos 13:9 Zvakuparadza, Israeri, nokuti kwandiri kune rubatsiro rwako.
  22393. Hos 13:10 Aripi mambo wako, aripi, kuti akubatsire pamaguta ako ose; nevatongi vako vawakati: Ndipei mambo nemachinda?
  22394. Hos 13:11 Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndokumubvisa muhasha dzangu.
  22395. Hos 13:12 Uipi hwaEfuremu hwakasungwa, chivi chake chakavigwa.
  22396. Hos 13:13 Kushungurudzika kwemukadzi anorwadziwa nemimba kuchamusvikira; iye mwanakomana asina kuchenjera; kana nguva iripo, haagarisi pamuromo wechizvaro chevana.
  22397. Hos 13:14 Ndichavaripira pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Rufu, hosha dzako dziripi? Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kutendeuka kuchavanzwa kubva pameso angu.
  22398. Hos 13:15 Kunyange iye akaburitsa zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yekumabvazuva ichasvika, mhepo yaJehovha, inokwira kurenje; zvino chitubu chake chichapwa, uye tsime rake richaoma; iye achapamba fuma yemidziyo yose inofadza.
  22399. Hos 13:16 Samariya richava dongo, nokuti wakapandukira Mwari waro; vachawa nemunondo; vacheche vavo vachaputsanyiwa, uye vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.
  22400. Hos 14:1 Dzoka, Israeri, kuna Jehovha Mwari wako; nokuti wakagumburwa nechitadzo chako.
  22401. Hos 14:2 Torai mashoko awa pamwe nemwi, mugodzokera kuna Jehovha, muti kwaari: Bvisa uipi hwose mugotigamuchira nenyasha, naizvozvo ticharipa hando dzemiromo yedu.
  22402. Hos 14:3 Asiriya havangatiponesi; haangatasvi mabhiza; uye hatichazotizve kubasa remaoko edu: Muri vamwari vedu; nokuti mamuri nherera inowana nyasha.
  22403. Hos 14:4 Ndichaporesa kudzokera shure kwavo, ndichavada pachena; nokuti kutsamwa kwangu kwadzoka kubva kwaari.
  22404. Hos 14:5 Ndichava sedova kuna Israeri; achatunga seruva, uye achatanda midzi yake seRebhanoni.
  22405. Hos 14:6 Matavi ake achakura, uye kubwinya kwake kuchava semuti wemuorivhi, nemunhuhwi wake seRebhanoni.
  22406. Hos 14:7 Vanogara mumumvuri wake vachadzoka; vachavandudzika sezviyo, nekutunga semuzambiringa; chirangaridzo chake chichaita sewaini yeRebhanoni.
  22407. Hos 14:8 Efuremu, ndichinei nezvifananidzo? Ini ndakamupindura, ndakamucherekedza; ndikava semuti wemufiri munyoro; chibereko chako chinowanikwa kubva kwandiri.
  22408. Hos 14:9 Ndiani wakachenjera? Zvino achanzwisisa izvi. Wakangwara? Zvino achazviziva. Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama; uye vakarurama vachafamba madziri; asi vadariki vachagumburwa madziri
  22409. Jol 1:1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joweri mwanakomana waPetuweri.
  22410. Jol 1:2 Inzwai chinhu ichi, imwi vatana, mupe nzeve, imwi mose vagari vepanyika. Izvi zvakamboitika pamazuva enyu here, kanawo pamazuva emadzibaba enyu?
  22411. Jol 1:3 Rondedzerei kuvana venyu nezvazvo, uye vana venyu kuvana vavo, uye vana vavo kune rimwe zera.
  22412. Jol 1:4 Zvakasiiwa nemhunduru, mhashu dzakadya; uye zvakasiiwa nemhashu, gwatakwata rakadya; uye zvakasiiwa negwatakwata, gonye rakadya.
  22413. Jol 1:5 Mukai, imwi zvidhakwa, mucheme misodzi, muungudze, imwi mose vanwi vewaini, nekuda kwewaini itsva, nokuti yagurwa kubva pamuromo wenyu.
  22414. Jol 1:6 Nokuti rudzi rwakwira pamusoro penyika yangu, rwakasimba, uye rwusina maverengero; mazino arwo mazino eshumba, uye rwune meno ematadza eshumbakadzi.
  22415. Jol 1:7 Rwakaita muzambiringa wangu uve dongo, nekuita muonde wangu chitsiga; rwakausvuura kwazvo, nekurasira pasi; matavi awo akaitwa machena.
  22416. Jol 1:8 Rirai semhandara yakazvisunga chiuno nesaga nekuda kwemurume weudiki hwayo.
  22417. Jol 1:9 Chipo chechidyiwa nechipo chechinwiwa chagurwa kubva paimba yaJehovha; vapristi, vashumiri vaJehovha, vanorira.
  22418. Jol 1:10 Munda waparadzwa, ivhu rinorira; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera simba.
  22419. Jol 1:11 Nyarai, imwi varimi, ungudzai, imwi varimi vemizambiringa, nekuda kwezviyo uye nekuda kwebhari; nokuti goho remunda raparara.
  22420. Jol 1:12 Muzambiringa wasvava, uye muonde unoshaiwa simba, mupomegiranati, nemuchindwe, nemuapuri, miti yose yesango yaoma; nokuti mufaro wasvava wabva kuvanakomana vevanhu.
  22421. Jol 1:13 Zvisungei zviuno, murire, imwi vapristi; ungudzai, imwi vashumiri vearitari; uyai, rarai usiku makapfeka masaga, imwi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipo chechidyiwa nechipo chinodururwa kuimba yaMwari wenyu.
  22422. Jol 1:14 Tsaurai mutsanyo, danai ungano yakadzama, unganidzai vakuru, vagari vose vepanyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, uye chemai kuna Jehovha.
  22423. Jol 1:15 Nhamo pazuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedo, uye richasvika sekuparadza kubva kune Wemasimbaose.
  22424. Jol 1:16 Zvekudya hazvina kugurwa pamberi pemeso enyu here, mufaro nekufarisisa kubva kuimba yaMwari wedu?
  22425. Jol 1:17 Mbeu dzinoorera pasi pemavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvasvava.
  22426. Jol 1:18 Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvina mafuro; zvirokwazvo, mapoka emakwai aparadzwa.
  22427. Jol 1:19 Jehovha, ndinochema kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, uye murazvo wapisa miti yose yesango.
  22428. Jol 1:20 Nemhuka dzesango dzinochema kwamuri, nokuti nzizi dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.
  22429. Jol 2:1 Ridzai hwamanda paZiyoni, uye pangurai mhere pagomo rangu dzvene; vagari vose vepanyika ngavadedere; nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedo.
  22430. Jol 2:2 Zuva rerima nerekusviba, zuva regore nerima guru, semambakwedza akawaridzwa pamusoro pemakomo; rudzi rukuru uye rwune simba; hakuna kumbova nerwakadaro kubvira kunguva yekare, uye hakungazovizve nerwakadai shure kwarwo kusvika kumakore ezera nezera.
  22431. Jol 2:3 Moto unopedza pamberi parwo, uye kumashure kwarwo murazvo unopfuta; nyika yakaita semunda weEdheni pamberi parwo, uye kumashure kwarwo iri renje riri dongo; honguwo hakuna kupukunyuka kwarwuri.
  22432. Jol 2:4 Chimiro charwo chakaita sechimiro chemabhiza, uye sevatasvi vemabhiza, saizvozvo vachamhanya.
  22433. Jol 2:5 Seruzha rwedzingoro pamisoro yemakomo vachauruka, seruzha rwemurazvo wemoto unoparadza zvitsinzinzi, sevanhu vane simba vakamiswa pahondo vakagadzirirwa.
  22434. Jol 2:6 Pamberi pechiso chavo vanhu vacharwadziswa kwazvo; zviso zvose zvichacheneruka.
  22435. Jol 2:7 Vachamhanya sevarume vane simba; vachakwira rusvingo sevarume vehondo; uye vachafamba, umwe neumwe munzira dzake; uye havangatsauki makwara avo.
  22436. Jol 2:8 Uye havasundidzirani umwe kune umwe; vachafamba umwe neumwe mugwara rake; kana vakawira pamusoro pechombo, havangakuvari.
  22437. Jol 2:9 Vachamhanya kuno neuko muguta, vachamhanya pamusoro perusvingo, vachakwira pamusoro pedzimba, vachapinda nepamahwindo sembavha.
  22438. Jol 2:10 Nyika ichadengenyeka pamberi pavo, matenga achadedera, zuva nemwedzi zvichasviba, nenyeredzi dzichadzora kupenya kwadzo.
  22439. Jol 2:11 Zvino Jehovha achabudisa inzwi rake pamberi pehondo yake, nokuti kamba yake ihuru kwazvo; nokuti anoita inzwi rake ane simba; nokuti zuva raJehovha iguru, uye rinotyisa zvikuru; uye ndiani angarimirira?
  22440. Jol 2:12 Naizvozvowo ikozvino, anoreva Jehovha, tendeukirai kwandiri nemoyo wenyu wose, uye nekutsanya, uye nekuungudza, uye nekurira.
  22441. Jol 2:13 Zvino bvarurai moyo yenyu, uye kwete nguvo dzenyu, mugotendeukira kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane nyasha uye tsitsi, anononoka kutsamwa, ane ngoni huru, uye anozvidemba pachakaipa.
  22442. Jol 2:14 Ndiani angaziva, angadzoka akazvidemba, ndokusiya ropafadzo shure kwake, chipo chechidyiwa nechipo chechinwiwa kuna Jehovha Mwari wenyu?
  22443. Jol 2:15 Ridzai hwamanda paZiyoni, tsaurai mutsanyo, danai ungano yakadzama.
  22444. Jol 2:16 Unganidzai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vanana nevanoyamwa mazamu; chikomba ngachibude mukamuri racho, nemwenga mukamuri rake remukati.
  22445. Jol 2:17 Vapristi vashumiri vaJehovha ngavacheme misodzi pakati peberere nearitari, vati: Nzwirai vanhu venyu tsitsi, Jehovha, uye musapa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti vahedheni vatonge pamusoro pavo. Vachareverei pakati pemarudzi kuti: Mwari wavo aripi?
  22446. Jol 2:18 Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, nekunzwira vanhu vake tsitsi.
  22447. Jol 2:19 Hongu, Jehovha achapindura ndokuti kuvanhu vake: Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, nemafuta, zvino muchagutiswa nazvo; uye handichazokuitiizve chishoorwa pakati pemarudzi.
  22448. Jol 2:20 Asi ndichabvisira kure nemwi zvinobva kumaodzanyemba, uye ndichazvidzingira kunyika yakaoma iri renje; chiso chake chakatarisa kugungwa rekumabvazuva, neshure kwake kugungwa rekumavirira. Zvino kunhuhwa kwake kuchakwira, nehwema hwake hwakaipa huchakwira; nokuti wakaita zvinhu zvikuru.
  22449. Jol 2:21 Usatya, nyika, fara upembere, nokuti Jehovha wakaita zvinhu zvikuru.
  22450. Jol 2:22 Regai kutya, imwi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobuka, nokuti muti unobereka chibereko chawo; muonde nemuzambiringa zvinopa simba razvo.
  22451. Jol 2:23 Nemwi vana veZiyoni, farai mupembere muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mvura yekutanga zvakaenzanirana, uye achakuburusirai mvura, mvura yekutanga nemvura yekupedzisira pamwedzi wekutanga.
  22452. Jol 2:24 Zvino maburiro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapupuma newaini itsva nemafuta.
  22453. Jol 2:25 Zvino ndichakudzoserai makore mhashu adzakadya, gwatakwata, negonye, nerukonye, hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.
  22454. Jol 2:26 Zvino muchadya zvakawanda, ndokuguta, ndokurumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, kuti wakakuitirai zvinoshamisa; zvino vanhu vangu havanganyadziswi rinhi narinhi.
  22455. Jol 2:27 Zvino muchaziva kuti ini ndiri mukati maIsraeri, uye ndiri Jehovha Mwari wenyu, uye hakuna umwe; uye vanhu vangu havanganyadziswi rinhi narinhi.
  22456. Jol 2:28 Zvino zvichaitika shure kweizvozvi, ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; zvino vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita; vatana venyu vacharota zviroto, majaya enyu achaona zviratidzo.
  22457. Jol 2:29 Uyewo pamusoro pevaranda nepamusoro pevarandakadzi, pamazuva iwayo, ndichadurura Mweya wangu.
  22458. Jol 2:30 Zvino ndichaita zvishamiso kumatenga nepanyika, ropa, nemoto, neshongwe dzeutsi.
  22459. Jol 2:31 Zuva richashanduka kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raJehovha guru uye rinotyisa.
  22460. Jol 2:32 Zvino zvichaitika, kuti ani nani anodana zita raJehovha achaponeswa; nokuti pagomo reZiyoni nepaJerusarema pachava neruponeso, sezvakataura Jehovha, nepane vakasara Jehovha vaachadana.
  22461. Jol 3:1 Nokuti tarirai, pamazuva iwayo nepanguva iyo, pandichadzosa kutapwa kwaJudha neJerusarema,
  22462. Jol 3:2 ndichaunganidzawo marudzi ose, nekuaburusira kumupata waJehoshafati, ndichaatongapo nekuda kwevanhu vangu nenhaka yangu Israeri, vaakaparadzira pakati pemarudzi ndokugovana nyika yangu;
  22463. Jol 3:3 uye vakakanda mijenya pamusoro pevanhu vangu, uye vakapa mukomana pachifeve, nekutengesa musikana newaini, kuti vanwe.
  22464. Jol 3:4 Hongu, nemwi munei neni, Tire neSidhoni nemigumo yose yeFirisitia? Munondiripira muripo here? Zvino kana mukanditsiva, nekukurumidza nekukasira ndichadzosera kutsiva kwenyu pamusoro wenyu.
  22465. Jol 3:5 Nokuti makatora sirivha yangu negoridhe rangu, uye makatakurira kutembere dzenyu zvinhu zvangu zvakanakisisa zvinofadza.
  22466. Jol 3:6 Nevana vaJudha nevana veJerusarema makatengesa kuvanakomana vevaGiriki, kuti muvabvisire kure nemuganhu wavo.
  22467. Jol 3:7 Tarirai, ndichavamutsa kubva panzvimbo kwamakavatengesa, uye ndichadzosera kutsiva kwenyu pamusoro wenyu.
  22468. Jol 3:8 Zvino ndichatengesa vanakomana venyu nevanasikana venyu muruoko rwevana vaJudha; ivo vachavatengesa kuvaShebha, kurudzi rwuri kure; nokuti Jehovha wakataura.
  22469. Jol 3:9 Danidzirai izvi pakati pemarudzi; natsai hondo; mutsai varume vane simba; varume vose vehondo ngavaswedere vakwire.
  22470. Jol 3:10 Pfurai miromo yemagejo yenyu ive minondo, nemapanga enyu ekuchekerera miti ave mapfumo; asina simba ngaati: Ndine simba.
  22471. Jol 3:11 Kurumidzai, muuye, imwi marudzi ose akapoteredza, muungane. Jehovha, burusirai mhare dzenyu ikoko.
  22472. Jol 3:12 Marudzi ngaamutswe, akwire kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara kutonga marudzi ose akapoteredza.
  22473. Jol 3:13 Isai jeko, nokuti goho raibva; uyai muburukire pasi, nokuti chisviniro chazara, zvisviniro zvinopupuma; nokuti uipi hwavo hwakakura.
  22474. Jol 3:14 Zvaunga, zvaunga mumupata wemutongo, nokuti zuva raJehovha rava pedo mumupata wemutongo.
  22475. Jol 3:15 Zuva nemwedzi zvichasviba, nenyeredzi dzichabvisa kupenya kwadzo.
  22476. Jol 3:16 Zvino Jehovha achaomba kubva muZiyoni, uye achanzwisa inzwi rake kubva muJerusarema. Zvino matenga nepasi zvichadengenyeka; asi Jehovha achava utiziro hwevanhu vake, nenhare kuvana vaIsraeri.
  22477. Jol 3:17 Saizvozvo muchaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wenyu agere paZiyoni, gomo rangu dzvene; ipapo Jerusarema richava dzvene; uye vatorwa havachazopfuurizve nemariri.
  22478. Jol 3:18 Zvino zvichaitika pazuva iro, makomo achadonha waini inotapira, uye zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura; uye chitubu chichabuda mumba maJehovha, uye chichadiridza mupata weShitimi.
  22479. Jol 3:19 Egipita richava dongo, uye Edhomu richava renje riri dongo, nekuda kwemhirizhonga yakaitirwa vana vaJudha, nokuti vakateura ropa risina mhosva panyika yavo.
  22480. Jol 3:20 Asi Judha achagara nekusingaperi, uye Jerusarema kusvika kuzera nezera.
  22481. Jol 3:21 Nokuti ndichachenesa ropa ravo randaiva ndisina kuchenesa; nokuti Jehovha anogara paZiyoni
  22482. Amo 1:1 Mashoko aAmosi, waiva pakati pevafudzi veTekowa, aakaona pamusoro paIsraeri pamazuva aUziya mambo waJudha, nepamazuva aJerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maviri akatangira kudengenyeka kwenyika.
  22483. Amo 1:2 Zvino wakati: Jehovha uchaomba ari paZiyoni, nekunzwisa inzwi rake ari paJerusarema; uye mafuro evafudzi achachema, uye musoro weKarimeri uchasvava.
  22484. Amo 1:3 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveDhamasiko, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yematare.
  22485. Amo 1:4 Asi ndichatuma moto muimba yaHazaeri, uchapedza mizinda yaBheni-Hadhadhi.
  22486. Amo 1:5 Ndichavhunawo chihuri cheDhamasiko, nekugura mugari kubva pabani reAvheni, newakabata tsvimbo yeushe kubva paBheti-Edheni; nevanhu veSiriya vachatapirwa kuKiri, anoreva Jehovha.
  22487. Amo 1:6 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveGaza, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakatapa zvekutapa kwakaperera, kuti vavape kuna Edhomu.
  22488. Amo 1:7 Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza mizinda yaro.
  22489. Amo 1:8 Zvino ndichagura mugari paAshidhodhi, newakabata tsvimbo yeushe paAshikeroni, uye ndichatendeusira ruoko rwangu kurwisa Ekironi; nevakasara vevaFirisitia vachaparara, anoreva Ishe Jehovha.
  22490. Amo 1:9 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveTire, uye nekuda kwezvina, handingadzori; nokuti vavatapira zvekutapa kwakaperera kuna Edhomu, uye vakasarangarira sungano yeukama.
  22491. Amo 1:10 Asi ndichatuma moto parusvingo rweTire, uchapedza mizinda yaro.
  22492. Amo 1:11 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveEdhomu, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti wakadzingirira munin’ina wake nemunondo, wakarasa tsitsi dzake, uye kutsamwa kwake kwakabvambura zvichingoenda, uye wakachengeta hasha dzake nekusingaperi.
  22493. Amo 1:12 Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza mizinda yeBhozira.
  22494. Amo 1:13 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvevana vaAmoni, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakatumbura vakadzi vaiva nemimba veGiriyadhi, kuti vakurise muganhu wavo.
  22495. Amo 1:14 Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza mizinda yaro, nekudanidzira pazuva rekurwa, nedutu remhepo pazuva rechamupupuri.
  22496. Amo 1:15 Uye mambo wavo achaenda muutapwa, iye pamwe chete nemachinda ake, anoreva Jehovha.
  22497. Amo 2:1 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvaMoabhu, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakapisa mapfupa amambo weEdhomu kuita raimu.
  22498. Amo 2:2 Asi ndichatuma moto paMoabhu, uchapedza mizinda yeKerioti. Zvino Moabhu achafa nebope, nekudanidzira, nekurira kwehwamanda.
  22499. Amo 2:3 Zvino ndichagura mutongi kubva pakati pavo, uye ndichauraya machinda ose avo pamwe navo, anoreva Jehovha.
  22500. Amo 2:4 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvaJudha, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakaramba mutemo waJehovha, uye havana kuchengeta mirairo yake, uye nhema dzavo dzakavarasisa, madzibaba avo dzaakatevera.
  22501. Amo 2:5 Zvino ndichatuma moto paJudha, uchapedza mizinda yeJerusarema.
  22502. Amo 2:6 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvaIsraeri, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakatengesa wakarurama nesirivha, neanoshaiwa nemanyatera maviri;
  22503. Amo 2:7 ivo vanotakwairira guruva renyika pamusoro pemusoro wevarombo, uye vanotsausa nzira yevanyoro; uye munhu nababa vake vachienda kumusikana, kuti musvibise zita rangu dzvene.
  22504. Amo 2:8 Zvino vanorara pasi panguvo dzechibatiso kumacheto kwearitari iyo neiyo, nekunwa waini yevakaraswa muimba yevamwari vavo.
  22505. Amo 2:9 Zvakadaro ini ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, kureba kwavo kwaiva kureba kwemisidhari, uye vaiva vakasimba semioki, zvakadaro ndakaparadza chibereko chavo chaiva kumusoro, nemidzi yavo yaiva pasi.
  22506. Amo 2:10 Zvino ini ndakakukwidzai kubva munyika yeEgipita, ndokukutungamirirai murenje makore makumi mana, kuti mugare nhaka yenyika yevaAmori.
  22507. Amo 2:11 Ndakamutsawo vaporofita pavanakomana venyu, nevaNaziri pamajaya enyu. Hazvina kudaro here, imwi vana vaIsraeri? Anoreva Jehovha.
  22508. Amo 2:12 Asi makanwisa vaNaziri waini, nekuraira vaporofita muchiti: Regai kuporofita.
  22509. Amo 2:13 Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sengoro izere nemwanda ichitsikira.
  22510. Amo 2:14 Naizvozvo nhare ichaparara kune anomhanya, uye ane simba haangasimbisi simba rake, nemhare hainganunuri upenyu hwayo.
  22511. Amo 2:15 Neakabata uta haangamiri; neanomhanyisa netsoka dzake haangazvinunuri; neakatasva bhiza haanganunuri upenyu hwake.
  22512. Amo 2:16 Zvino ane moyo wakasimba pakati pemhare achatiza akashama pazuva iro, anoreva Jehovha.
  22513. Amo 3:1 Inzwai shoko iri Jehovha raakataura akanangana nemwi, imwi vana vaIsraeri, akanangana nemhuri yose yandakakwidza kubva munyika yeEgipita, achiti:
  22514. Amo 3:2 Ndimwi moga vandakaziva pamarudzi ose epanyika; naizvozvo ndichakushanyirai nekuda kwezvakaipa zvenyu zvose.
  22515. Amo 3:3 Vaviri vangafamba pamwe here kunze kwekuti vasangana?
  22516. Amo 3:4 Shumba ingaomba musango isina chijimbiwa here? Shumba diki ingapa inzwi rayo mubako rayo isina kubata here?
  22517. Amo 3:5 Shiri ingawira mumusungo panyika pasina rugombe rwayo here? Musungo ungaurukira kumusoro kubva panyika usina kutongobata here?
  22518. Amo 3:6 Hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasadedera here? Kungava nechakaipa muguta here, Jehovha asina kuzviita?
  22519. Amo 3:7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kuzivisa zvakavanzika zvake kuvaranda vake vaporofita.
  22520. Amo 3:8 Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha wataura, ndiani angarega kuporofita?
  22521. Amo 3:9 Paridzai pamizinda muAshidhodhi nepamizinda munyika yeEgipita; zvino muti: Unganai pamusoro pemakomo eSamariya, mugoona mabope makuru mukati maro, nekumanikidza kuzhinji mukati maro.
  22522. Amo 3:10 Nokuti havazivi kuita zvakarurama, anoreva Jehovha, ivo vanounganidza kumanikidza nekupamba mumizinda yavo.
  22523. Amo 3:11 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Muvengi, anokomberedza nyika, uye achaburusa simba rako kubva kwauri, uye mizinda yako ichapambiwa.
  22524. Amo 3:12 Anoreva seizvi Jehovha: Mufudzi sezvaanonunura kubva mumuromo meshumba makumbo maviri, kana chipandi chenzeve, saizvozvo vana vaIsraeri vachanunurwa, ivo vagere muSamariya pamucheto wemubhedha, nepachidimbu cheuvato.
  22525. Amo 3:13 Inzwa, mugopupura muimba yaJakove, anoreva Ishe Jehovha, Mwari wehondo,
  22526. Amo 3:14 kuti pazuva randichashanyira zvitadzo zvaIsraeri pamusoro pake, ndichashanyirawo aritari dzeBheteri; nenyanga dzearitari dzichagurwa ndokuwira pasi.
  22527. Amo 3:15 Zvino ndicharova imba yemuchando pamwe neimba yemuchirimo, uye dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparara, uye dzimba huru dzichapera, anoreva Jehovha.
  22528. Amo 4:1 Inzwai shoko iri, imwi mhou dzeBhashani, muri mugomo reSamariya, munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu: Unzai tinwe.
  22529. Amo 4:2 Ishe Jehovha wakapika neutsvene hwake, kuti: Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakusimudzai nedzingwegwe, uye vanokuteverai venyu nezviredzo zvehove.
  22530. Amo 4:3 Zvino muchabuda nepakakoromoka, umwe neumwe pamberi pake; zvino muchavarasira Harimoni, anoreva Jehovha.
  22531. Amo 4:4 Uyai kuBheteri, mugotadza; paGirigari muwedzere chitadzo; uye muunze chibairo chenyu mangwanani, zvegumi zvenyu makore matatu emazuva.
  22532. Amo 4:5 Zvino pisai chibairo chekuvonga nezvakaviriswa, zvino muparidze muzivise chibairo chekuzvidira; nokuti zvakadai munozvida, imwi vana vaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.
  22533. Amo 4:6 Neniwo ndakakupai kuchena kwemazino mumaguta enyu ose, nekushaiwa zvechingwa panzvimbo dzenyu dzose; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.
  22534. Amo 4:7 Uyezve ini ndakanyima mvura kwauri, kuchine mwedzi mitatu kusvika pakukohwa; zvino ndakanaisa pamusoro peguta rimwe, ndikasanaisa pamusoro perimwe guta; rumwe rupandi rwakanaiwa, uye rupandi rwusina kunaiwa rwakatsva.
  22535. Amo 4:8 Zvino kwakadzungaira maguta maviri kana matatu kunonwa mvura muguta rimwe chete, asi haana kugungwa; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.
  22536. Amo 4:9 Ndakakurovai nenyunje uye nekuvhuvha; kuwanda kwemabindu enyu neminda yenyu yemizambiringa nemiti yenyu yemionde nemiti yenyu yemiorivhi, gonye rakazvipedza; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.
  22537. Amo 4:10 Ndakatuma pakati penyu hosha zvichitevera nzira yeEgipita; majaya enyu ndakaauraya nemunondo, uye ndakatapa mabhiza enyu; uye ndakakwidza munhuhwi wemisasa yenyu kumhino dzenyu; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.
  22538. Amo 4:11 Ndakaparadza vamwe venyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora. Zvino maiva makaita sechitsiga chakabvutwa pamupfuto; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.
  22539. Amo 4:12 Naizvozvo ndichaita seizvi kwauri, iwe Israeri; uye nokuti ndichaita izvi kwauri, gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.
  22540. Amo 4:13 Nokuti tarirai, uyo wakaumba makomo, nekusika mhepo, nekuzivisa kumunhu kuti mufungo wake chii, iye anosvibirisa mangwanani, nekutsika-tsika panzvimbo dzakakwirira dzepanyika, Jehovha, Mwari wehondo ndiro zita rake.
  22541. Amo 5:1 Inzwai shoko iri randinokwidza pamusoro penyu, mariro, imba yaIsraeri.
  22542. Amo 5:2 Mhandara yaIsraeri yawa, haachamukizve; wasiiwa pamusoro penyika yake; hakuna angamumutsa.
  22543. Amo 5:3 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Guta rakabuda riri churu richasara rava zana, uye rakabuda riri zana richasara rava gumi, kuimba yaIsraeri.
  22544. Amo 5:4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kuimba yaIsraeri: Nditsvakei mugorarama.
  22545. Amo 5:5 Asi musatsvaka Bheteri, uye musapinda muGirigari, uye musapfuurira kuBheeri-Shebha; nokuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, uye Bheteri richava pasina.
  22546. Amo 5:6 Tsvakai Jehovha mugorarama, zvimwe apazire imba yaJosefa semoto, ndokupedza, ndokushaya anoudzima paBheteri.
  22547. Amo 5:7 Imwi munoshandura mutongo kuva gavakava, nekukanda kururama pasi.
  22548. Amo 5:8 Iye anoita Chirimirira neOrionhi, nekushandura mumvuri werufu kuva mangwanani, nekusvibisa zuva neusiku, anodana mvura zhinji yegungwa, nekuidurura pamusoro pechiso chenyika, Jehovha ndiro zita rake.
  22549. Amo 5:9 Anopenyesa kuparara pamusoro pevane simba, kuti kuparara kuuye pamusoro penhare.
  22550. Amo 5:10 Vanovenga anotsiura pasuwo, uye vanosema anotaura zvakarurama.
  22551. Amo 5:11 Naizvozvo zvamunotsika-tsika murombo, nekutora mutoro wezviyo kwaari, makavaka dzimba nemabwe akavezwa, asi hamungagari madziri, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamunganwi waini yayo.
  22552. Amo 5:12 Nokuti ndinoziva kuti zvitadzo zvenyu zvizhinji, nezvivi zvenyu zvine simba; vanovenga wakarurama, vanogamuchira fufuro, nekutsaura varombo pasuwo.
  22553. Amo 5:13 Naizvozvo wakachenjera achanyarara panguva iyo, nokuti inguva yakaipa.
  22554. Amo 5:14 Tsvakai zvakanaka, uye kwete zvakaipa, kuti mugorarama, kuti saizvozvo Jehovha Mwari wehondo ave nemwi, sezvamakataura.
  22555. Amo 5:15 Vengai zvakaipa, mugoda zvakanaka, mumise mutongo pasuwo; zvimwe Jehovha Mwari wehondo achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
  22556. Amo 5:16 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha, Mwari wehondo, Ishe: Kuchava nekuungudza panzira dzose huru, uye panzira dzose dzemumusha vachati: Maiwe! Maiwe! Uye vachadana varimi kuzorira, nevanoziva mariro kuzoungudza.
  22557. Amo 5:17 Uye kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa, nokuti ndichapfuura nepakati penyu, anoreva Jehovha.
  22558. Amo 5:18 Nhamo kunemwi vanoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha richava rei kwamuri? Richava rima, uye kwete chiedza.
  22559. Amo 5:19 Zvakaita semunhu anotiza pamberi peshumba, bheya ndokusangana naye; kana anopinda mumba, ruoko rwake ndokuzembera pamadziro, nyoka ndokumuruma.
  22560. Amo 5:20 Zuva raJehovha haringavi rima here, ndokusava chiedza? Nerima guru, kupenya kukasava mariri?
  22561. Amo 5:21 Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu, uye handinganhuhwi paungano dzenyu dzakadzama.
  22562. Amo 5:22 Nokuti kunyange mukandipa zvipo zvinopiswa, nezvipo zvenyu zvezvidyiwa, handingagamuchiri, uye handingarangariri chipo chekuyananisa chezvipfuwo zvenyu zvakakora.
  22563. Amo 5:23 Bvisai kwandiri ruzha rwenziyo dzenyu, uye ngandirege kunzwa kurira kwembira dzenyu.
  22564. Amo 5:24 Asi mutongo ngauyerere semvura, uye kururama serukova rwunongodira.
  22565. Amo 5:25 Makapa here kwandiri zvibairo nechipo murenje makore makumi mana, imwi imba yaIsraeri?
  22566. Amo 5:26 Asi makatakura tabhenakeri yaMoroki wenyu neKiyuni zvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu wamakazviitira.
  22567. Amo 5:27 Naizvozvo ndichakutapirai mhiri kweDhamasiko, anoreva Jehovha, ane zita rinonzi Mwari wehondo.
  22568. Amo 6:1 Nhamo kune vakagarika paZiyoni, uye vakatambarara pagomo reSamariya, vakasarudzwa vekutanga pamarudzi, kunoenda kwavari veimba yaIsraeri!
  22569. Amo 6:2 Pfuurirai kuKarine mugoona, uye kubva ipapo endai kuHamati guru, mugoburukira kuGati revaFirisitia. Vari nani here pane umambo uzhinji uhu? Kana muganhu wavo wakakura kupfuura muganhu wenyu here?
  22570. Amo 6:3 Imwi munoisa kure zuva rakaipa, nekuswededza chigaro chemhirizhonga.
  22571. Amo 6:4 Varere pamusoro pemibhedha yenyanga dzenzou, vanozvizamura pamusoro penhovo dzavo, nekudya makwayana kubva paboka, nemhuru kubva mukati mechirugu.
  22572. Amo 6:5 Vanoimba zvinoenderana nembira, munozvigadzirira midziyo yekuridzisa saDhavhidhi.
  22573. Amo 6:6 Vanonwa waini mundiro hofu zhinji, nekuzvizodza nezvizoro zvakaisvonaka, asi havarwadziwi nekuparara kwaJosefa.
  22574. Amo 6:7 Naizvozvo ikozvino vachatapwa pakati pevekutanga vanoenda muutapwa, uye mabiko evanozvizamura achapera.
  22575. Amo 6:8 Ishe Jehovha wakapika naiye amene, anoreva Jehovha, Mwari wehondo: Ndinosema kuzvikudza kwaJakove, nekuvenga mizinda yake; naizvozvo ndichapa guta nekuzara kwaro kuvavengi.
  22576. Amo 6:9 Zvino zvichaitika, kana kukasara varume gumi muimba imwe, kuti vachafa.
  22577. Amo 6:10 Uye sekuru vemunhu vachamukwidza, neanomupisa, kubudisa mapfupa mumba, uye achati kune ari pamativi eimba: Kune achinewe here? Zvino iye achati: Kwete. Ipapo iye achati: Nyarara, nokuti hatingarevi zita raJehovha.
  22578. Amo 6:11 Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, uye acharova imba huru kuita mafufu, neimba diki kuita mitswe.
  22579. Amo 6:12 Mabhiza angamhanya paruware here? Pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura mutongo kuita nduru, nechibereko chekururama kuita gavakava.
  22580. Amo 6:13 Imwi munofarira chinhu chisina maturo; munoti: Hatina kuzvitorera nyanga nesimba redu here?
  22581. Amo 6:14 Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rudzi, imwi imba yaIsraeri, anoreva Jehovha, Mwari wehondo; rwuchakutambudzai kubva pakupinda paHamati kusvika kurukova rwerenje.
  22582. Amo 7:1 Ishe Jehovha wakandiratidza seizvi. Zvino tarira, wakaumba mhashu zhinji pakutanga kukwira kwemabukira ekupedzisira; zvino tarirai, mabukira ekupedzisira shure kwekukohwa kwamambo.
  22583. Amo 7:2 Zvino zvakaitika, pavaiva vapedza kudya uswa hwenyika, ndikati: Ishe Jehovha, dai makanganwira, Jakove angamira sei? Nokuti mudiki.
  22584. Amo 7:3 Jehovha wakazvidemba pane izvi. Hazvichaitika, anoreva Jehovha.
  22585. Amo 7:4 Ishe Jehovha wakandiratidza seizvi. Zvino tarira, Ishe Jehovha wakadana kurwa nemoto; zvino wakapedza udziku ukuru, ndokudya bandi renyika.
  22586. Amo 7:5 Ipapo ndakati: Ishe Jehovha, dai mamira; Jakove angamira sei? Nokuti mudiki.
  22587. Amo 7:6 Jehovha wakazvidemba pamusoro peizvi. Izviwo hazvingaitika, anoreva Ishe Jehovha.
  22588. Amo 7:7 Wakandiratidza seizvi; zvino tarira, Ishe waiva akamira pamadziro akaitwa serwonzi rwekuyera narwo, ane rwonzi rwekuyera muruoko rwake.
  22589. Amo 7:8 Jehovha ndokuti kwandiri: Amosi, unoonei? Ini ndokuti: Rwonzi rwekuyera narwo. Ishe ndokuti: Tarirai, ndichaisa rwonzi rwekuyera pakati pevanhu vangu Israeri; handichavadarikizve zvekare.
  22590. Amo 7:9 Asi nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichava matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaparadzwa; zvino ndichamukira imba yaJerobhoamu nemunondo.
  22591. Amo 7:10 Zvino Amaziya mupristi weBheteri wakatuma kuna Jerobhoamu mambo waIsraeri achiti: Amosi wakakurangana pakati peimba yaIsraeri; nyika haigoni kutakura mashoko ake ose.
  22592. Amo 7:11 Nokuti Amosi wakareva seizvi: Jerobhoamu achafa nemunondo, uye Israeri vachatapwa zvekutapwa kubva munyika yake.
  22593. Amo 7:12 Amaziya akatiwo kuna Amosi: Iwe muoni, enda utizire kunyika yaJudha, uye udye chingwa ipapo, ugoporofitapo.
  22594. Amo 7:13 Asi usachiporofitazve paBheteri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, uye iimba yeumambo.
  22595. Amo 7:14 Zvino Amosi wakapindura ndokuti kuna Amaziya: Ndaiva ndisiri muporofita, uye ndaiva ndisiri mwanakomana wemuporofita; asi ndaiva mufudzi nemurimi wemionde.
  22596. Amo 7:15 Zvino Jehovha wakanditora pandaitevera makwai, Jehovha ndokuti kwandiri: Enda, unoporofita kuvanhu vangu Israeri.
  22597. Amo 7:16 Naizvozvo inzwa shoko raJehovha: Iwe unoti: Rega kuporofita uchipesana naIsraeri, uye rega kudonhedza shoko uchipesana neimba yaIsaka.
  22598. Amo 7:17 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Mukadzi wako achava chifeve muguta; uye vanakomana vako nevanasikana vako vachawa nemunondo; uye nyika yako ichagovewa nerwonzi rwekuyera narwo; zvino iwe uchafira munyika yakasvibiswa; naIsraeri achatapwa zvekutapwa abude munyika yake.
  22599. Amo 8:1 Ishe Jehovha wakandiratidza seizvi; zvino tarirai, tswanda yechibereko chezhizha.
  22600. Amo 8:2 Zvino akati: Amosi, unoonei? Ini ndokuti: Tswanda yechibereko chezhizha. Zvino Jehovha wakati kwandiri: Kuguma kwasvika pamusoro pevanhu vangu Israeri; handichatongovapfuurizve.
  22601. Amo 8:3 Asi nziyo dzetembere dzichava kuungudza pazuva iro, anoreva Ishe Jehovha; kuchava nezvitunha zvizhinji; panzvimbo imwe neimwe vachazvikandira kunze chinyararire.
  22602. Amo 8:4 Inzwai izvi, imwi munomedza vanoshaiwa, nekuparadza varombo venyika;
  22603. Amo 8:5 muchiti: Kugara kwemwedzi kuchapfuura rinhi kuti titengese zviyo? Uye sabata kuti tizarure gorosi? Tichaita efa rive diki, neshekeri rive guru, nekuita nhema pazviyero nekunyengera.
  22604. Amo 8:6 Kuti titenge varombo nesirivha, neanoshaiwa nemanyatera maviri, nekutengesa makoto ezviyo.
  22605. Amo 8:7 Jehovha wakapika neukuru hwaJakove achiti: Zvirokwazvo handingakanganwi mabasa avo ose rinhi narinhi.
  22606. Amo 8:8 Nyika haingadederi nekuda kweizvi here, neumwe neumwe anogaramo akachema? Zvino ichakwira yose serwizi, uye icharasirwa kunze ndokunyudzwa, serwizi rweEgipita.
  22607. Amo 8:9 Zvino zvichaitika pazuva iro, anoreva Ishe Jehovha, kuti ndichadokesa zuva pamasikati makuru, uye ndichasvibisa nyika pamasikati machena.
  22608. Amo 8:10 Zvino ndichashandura mabiko enyu kuva kurira, nenziyo dzenyu dzose kuva mariro; uye ndichaunza saga pazviuno zvose, neubaravara pamusoro umwe neumwe; uye ndichazviita sekuchemwa kwemwanakomana umwe oga, nemugumo wazvo sezuva rinovava.
  22609. Amo 8:11 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Ishe Jehovha, andichatuma nzara panyika, isiri nzara yezvekudya, uye isiri nyota yemvura, asi yekunzwa mashoko aJehovha.
  22610. Amo 8:12 Zvino vachadzungaira kubva kugungwa kusvika kugungwa, uye kubva kumaodzanyemba kuenda kumabvazuva; vachamhanya uko neuko kutsvaka shoko raJehovha, asi havangawani.
  22611. Amo 8:13 Nezuva iro mhandara dzakanaka nemajaya vachaziya nenyota.
  22612. Amo 8:14 Vanopika nechivi cheSamariya, uye vanoti: Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye: Nenzira yeBheeri-Shebha imhenyu. Ivo vachawa, uye havazomukizve.
  22613. Amo 9:1 Ndakaona Ishe amire pamusoro pearitari; iye ndokuti: Rova chivivo chemukova kuti magwatidziro azungunuke, uzvigure pamusoro wezvose; uye ndichauraya vekupedzisira vavo nemunondo; hakungatizi anotiza wavo, uye hakungapukunyuki anopukunyuka wavo.
  22614. Amo 9:2 Kunyange vakachera kuSheori, ruoko rwangu ruchanovatorapo; uye kunyange vakakwira kudenga, ndichavaburusapo.
  22615. Amo 9:3 Kunyange vakanovandawo panhongonya yeKarimeri, ndichatsvaka ndivatorepo; uye kunyange vakavanda vachibva pamberi pemeso angu pasi pegungwa, ndicharaira nyoka kubvapo, ichavaruma.
  22616. Amo 9:4 Kunyange vachiendawo muutapwa pamberi pevavengi vavo, ndicharaira munondo kubva ipapo kuti uvauraye; uye ndichamisa ziso rangu pamusoro pavo kuita zvakaipa, kwete kuita zvakanaka.
  22617. Amo 9:5 Zvino ndiIshe Jehovha wehondo anobata nyika, kuti inyauke, uye vose vageremo vacharira; uye ichakukumara yose serwizi, uye ichanyura serwizi rweEgipita.
  22618. Amo 9:6 Iye anovaka nhurikwa dzake kumatenga, uye wakateya hondo yake yakarongwa panyika; anodana mvura zhinji yegungwa, nekuidiridza pachiso chenyika; Jehovha ndiro zita rake.
  22619. Amo 9:7 Hamuna kuita kwandiri sevana vevaItiyopiya here, imwi vana vaIsraeri? anoreva Jehovha. Handina kukwidza Israeri here kubva panyika yeEgipita, nevaFirisitia paKafitori, nevaSiriya paKiri?
  22620. Amo 9:8 Tarirai, meso aIshe Jehovha ari pamusoro peushe hunotadza, uye ndichahuparadza hubve pachiso chenyika; zvakadaro handingaparadzi zvachose imba yaJakove, anoreva Jehovha.
  22621. Amo 9:9 Nokuti tarirai, ndicharaira, uye ndichapepeta imba yaIsraeri pakati pemarudzi ose, sezvinopepetwa nemusero; zvakadaro hapana tsanga dikisa ichawira pavhu.
  22622. Amo 9:10 Vatadzi vose vevanhu vangu vachafa nemunondo, vanoti: Zvakaipa hazvingasenereri kana kusangana nesu.
  22623. Amo 9:11 Nezuva iro ndichamutsa dumba raDhavhidhi rakawa, nekudzivira maburi aro, nekumutsa matongo aro, nekurivaka sepamazuva ekare;
  22624. Amo 9:12 kuti vagare nhaka yezvakasara zveEdhomu, nemarudzi ose akadanwa nezita rangu, anoreva Jehovha anoita izvi.
  22625. Amo 9:13 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, anorima paachaswedera kune anokohwa, neanotsika zvibereko zvemizambiringa kune anodzvara mbeu; uye makomo achadonha waini inotapira, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
  22626. Amo 9:14 Zvino ndichashandura utapwa hwevanhu vangu Israeri; uye vachavaka maguta akaparara ndokugara, uye vachadzvara mizambiringa ndokunwa waini yayo, nekuita mabindu ndokudya zvibereko zvawo.
  22627. Amo 9:15 Zvino ndichavadzvara panyika yavo, kuti vasachidzurwazve kubva panyika yandakavapa, anoreva Jehovha Mwari wako
  22628. Oba 1:1 Chiratidzwa chaObhadhiya. Anoreva seizvi Ishe Jehovha maererano neEdhomu: Takanzwa shoko kubva kuna Jehovha, uye kwakatumwa nhume pakati pevechirudzi: Simukai, zvino ngatimumukirei muhondo.
  22629. Oba 1:2 Tarirai, ndakakuita mudiki pakati pevechirudzi; wakazvidzwa kwazvo.
  22630. Oba 1:3 Kuzvikudza kwemoyo wako kwakakunyengera; iwe anogara mumikaha yemabwe, ugaro hwake hwakakwirira, anoti mumoyo make: Ndiani ungatiwisira pavhu?
  22631. Oba 1:4 Kunyange ukakwirira segondo, uye kunyange ukamisa dendere rako pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakuderedza, anoreva Jehovha.
  22632. Oba 1:5 Kana mbavha dzichisvika kwauri, kana makororo usiku (wakagurwa sei), havangabi kusvika vava nezvakakwana here? Kana vaunganidzi vemazambiringa vakauya kwauri, havangasii zvekufuhurura here?
  22633. Oba 1:6 ZvaEsau zvakanzverwa sei, fuma yake yakavanda yakatsvakurudzwa!
  22634. Oba 1:7 Varume vose vesungano yako vanokutumira kumuganhu; varume vaiva parugare newe vakakunyengera, vakakukunda; vanodya chingwa chako vakaisa musungo pasi pako; hamuna njere maari.
  22635. Oba 1:8 Hazvingadaro here pazuva iro, anoreva Jehovha, kuti ndichaparadza vakachenjera kubva paEdhomu, nenjere kubva pagomo raEsau?
  22636. Oba 1:9 Zvino mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, kuti umwe neumwe agurwe pagomo raEsau nekuurawa.
  22637. Oba 1:10 Nekuda kwemhirizhonga kurwisa munin’ina wako Jakobho, nyadzi dzichakufukidza, uye uchagurwa nekusingaperi.
  22638. Oba 1:11 Pazuva rauchamira parutivi, pazuva vatorwa ravachatapa naro hondo yake, nevechirudzi vachipinda pamasuwo ake, nekukanda mijenya pamusoro peJerusarema, newe waiva wakaita seumwe wavo.
  22639. Oba 1:12 Asi waiva usingafaniri kutarisa pazuva remunin’ina wako pazuva raakava mutorwa, uye waiva usingafaniri kupembera pamusoro pevana vaJudha pazuva rekuparara kwavo, uye waiva usingafaniri kutaura nekuzvikudza pazuva rekumanikidzwa.
  22640. Oba 1:13 Dai usina kupinda pasuwo revanhu vangu pazuva renhamo yavo; dai iwewo usina kutarisa dambudziko ravo pazuva renhamo yavo, uye usina kuisa ruoko pafuma yavo pazuva renhamo yavo.
  22641. Oba 1:14 Uye dai usina kumira pamharadzano dzenzira kugura vakapukunyuka vake, uye dai usina kupa vakasara vake kuvavengi pazuva rekumanikidzwa.
  22642. Oba 1:15 Nokuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose. Sezvawakaita, zvichaitwa kwauri; mubairo wako uchadzokera pamusoro wako.
  22643. Oba 1:16 Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose achagara achingonwa, hongu, vachanwa, uye vachamedza, zvino zvichava sezvisina kumbovapo.
  22644. Oba 1:17 Asi pagomo reZiyoni pachava nekupukunyuka; uye pachava neutsvene; uye veimba yaJakove vachagara nhaka yenhaka yavo.
  22645. Oba 1:18 Zvino imba yaJakove ichava moto, neimba yaJosefa murazvo, uye imba yaEsau mashanga; uye vachazvipisa, nekuzvipedza; uye hakungavi neanosara weimba yaEsau; nokuti Jehovha wakataura.
  22646. Oba 1:19 Zvino vekuchamhembe vachagara nhaka yegomo raEsau, nevemapani vaFirisitia; uye vachagara nhaka yemunda waEfuremu nemunda weSamariya; naBhenjamini yeGiriyadhi.
  22647. Oba 1:20 Zvino vakatapwa vehondo iyi yevana vaIsraeri vachagara nhaka yezvaiva zvevaKenani kusvika kuZarefati; nevatapwa veJerusarema vari paSefaradhi vachagara nhaka yemaguta ekuchamhembe.
  22648. Oba 1:21 Zvino vaponesi vachakwira pagomo reZiyoni kutonga gomo raEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha
  22649. Jon 1:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai richiti:
  22650. Jon 1:2 Simuka uende kuNinivhe, guta guru, unoparidza uchipokana naro, nokuti uipi hwavo hwakwira pamberi pangu.
  22651. Jon 1:3 Asi Jona wakasimuka kutizira kuTashishi kubva pachiso chaJehovha; ndokuburukira kuJopa. Zvino wakawana chikepe chichienda kuTashishi, wakapa mari yacho ndokuburukira machiri kuenda navo kuTashishi kubva pachiso chaJehovha.
  22652. Jon 1:4 Asi Jehovha wakakanda mhepo huru pagungwa, dutu remhepo guru ndokuva pagungwa, uye chikepe chikashumba kuputsika.
  22653. Jon 1:5 Zvino vafambisi vechikepe vakatya ndokudanidzira umwe neumwe kuna mwari wake, ndokukandira mugungwa nhumbi dzaiva muchikepe, kuti chireruke pazviri. Asi Jona waiva aburukira kumacheto echikepe ndokurara, ndokurara hope kwazvo.
  22654. Jon 1:6 Naizvozvo tenzi wechikepe wakaswedera kwaari, ndokuti kwaari: Unei, murari mukuru? Simuka, dana kuna Mwari wako; zvimwe Mwari uyu angatirangarira, kuti tisaparara.
  22655. Jon 1:7 Zvino vakati umwe neumwe kune wekwake: Uyai, zvino ngatikande mijenya, kuti tizive kuti chakaipa ichi chiri pamusoro pedu nechikonzero chaani. Naizvozvo vakakanda mijenya; mujenya ndokuwira pamusoro paJona.
  22656. Jon 1:8 Zvino vakati kwaari: Tiudze hako. Chakaipa ichi chiri pamusoro pedu nechikonzero chaani? Basa rako nderei? Uye unobvepi? Nyika yako ndeipi? Uye uri werudzi rwupi?
  22657. Jon 1:9 Iye ndokuti kwavari: Ndiri muHebheru, uye ndinotya Jehovha, Mwari wematenga, iye wakaita gungwa nepakaoma.
  22658. Jon 1:10 Ipapo varume vakatya nekutya kukuru, ndokuti kwaari: Chii ichi chawaita? Nokuti varume vakaziva kuti anotiza pachiso chaJehovha; nokuti waiva avaudza.
  22659. Jon 1:11 Zvino vakati kwaari: Tichaitei kwauri, kuti gungwa ritinyararire? Nokuti gungwa rakaramba richiva dutu guru remhepo.
  22660. Jon 1:12 Iye ndokuti kwavari: Ndisimudzei, mugondikandira mugungwa, naizvozvo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu remhepo guru iri riri pamusoro penyu nekuda kwangu.
  22661. Jon 1:13 Zvakadaro varume vakakwasva kudzosera chikepe kunyika yakaoma; asi vakakonewa, nokuti gungwa rakaramba richiva dutu guru remhepo richivapikisa.
  22662. Jon 1:14 Naizvozvo vakachema kuna Jehovha, ndokuti: Tinokunyengeterai, Jehovha, tinokunyengeterai, ngatirege kuparara nekuda kweupenyu hwemunhu uyu, uye musauisa pamusoro pedu ropa risina mhosva; nokuti imwi Jehovha maita sezvinokufadzai.
  22663. Jon 1:15 Zvino vakasimudza Jona ndokumukandira mugungwa; gungwa ndokumira pakupenga kwaro.
  22664. Jon 1:16 Zvino varume vakatya Jehovha nekutya kukuru, ndokubaira chibairo kuna Jehovha, nekupika mhiko zhinji.
  22665. Jon 1:17 Zvino Jehovha waiva agadzirira hove huru kuti imedze Jona. Jona ndokuva mudumbu rehove mazuva matatu neusiku utatu.
  22666. Jon 2:1 Zvino Jona wakanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
  22667. Jon 2:2 Ndokuti: Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; zvino wakandipindura; ndiri mudumbu resheori ndakachema; makanzwa inzwi rangu.
  22668. Jon 2:3 Nokuti makandikanda muudziku, mumoyo wemakungwa; uye mafashame akandikomberedza; mafungu enyu ose nemaboporodzi enyu zvakapfuura nepamusoro pangu.
  22669. Jon 2:4 Zvino ini ndakati: Ndadzingwa kubva pamberi pemeso enyu; zvakadaro ndichatarisazve kutembere yenyu tsvene.
  22670. Jon 2:5 Mvura zhinji yakandikomberedza kusvika pamweya weupenyu; udziku hwakandikomba; makaraugwe akamonera musoro wangu.
  22671. Jon 2:6 Ndakaburukira kunheyo dzemakomo; nyika nezvipfigiso zvayo zvakandikomba nekusingaperi; zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, Jehovha Mwari wangu.
  22672. Jon 2:7 Mweya weupenyu wangu pawakaziya mukati mangu, ndakarangarira Jehovha; munyengetero wangu ndokupinda kwamuri, mutembere yenyu tsvene.
  22673. Jon 2:8 Avo vanochengetedza zvenhema zvisina maturo vanosiya nyasha dzavo.
  22674. Jon 2:9 Asi ini neinzwi rekuvonga ndichabaira kwamuri; ndicharipira zvandakapikira; ruponeso nderwaJehovha.
  22675. Jon 2:10 Zvino Jehovha wakataura kuhove; iyo ndokurutsira Jona pavhu rakaoma.
  22676. Jon 3:1 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona richiti:
  22677. Jon 3:2 Simuka, enda kuNinivhe, guta guru, zvino uparidze kwariri mharidzo yandinokuudza.
  22678. Jon 3:3 Zvino Jona wakasimuka ndokuenda kuNinivhe, zvichienderana neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwemazuva matatu.
  22679. Jon 3:4 Zvino Jona wakatanga kupinda muguta, rwendo rwezuva rimwe. Zvino wakadanidzira ndokuti: Kuchine makore makumi mana, uye Ninivhe richaparadzwa.
  22680. Jon 3:5 Zvino vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, ndokudanidzira mutsanyo, ndokufuka masaga, kubva kumukurusa wavo kusvika kumudikisa wavo.
  22681. Jon 3:6 Nokuti shoko rakasvika kuna mambo weNinivhe; iye ndokusimuka kubva pachigaro chake cheushe, ndokubvisa nguvo yake yerukudzo paari, ndokupfeka saga, ndokugara mumadota.
  22682. Jon 3:7 Zvino wakadanidzira ndokuti muNinivhe nechirevo chamambo nevakuru vake, achiti: Kurege kuva nemunhu, kana mhuka, mombe, kana gwai, zvicharavira chipi nechipi; ngazvirege kudya uye zvisanwa mvura.
  22683. Jon 3:8 Asi munhu nemhuka ngazvifukidzwe masaga, uye ngavadanidzire zvine simba kuna Mwari; hongu ngavatendeuke umwe neumwe panzira yake yakaipa, nepakumanikidza kuri pamaoko avo.
  22684. Jon 3:9 Ndiani anoziva, zvimwe Mwari angadzoka akazvidemba, ndokuzvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa, kuti tirege kuparara.
  22685. Jon 3:10 Zvino Mwari wakaona mabasa avo, kuti vakatendeuka kubva panzira yavo yakaipa; Mwari ndokuzvidemba pazvakaipa zvaaiva ataura kuti achazviita kwavari, zvino akasazviita.
  22686. Jon 4:1 Asi zvakarwadza Jona, marwadzo makuru, iye ndokutsamwa.
  22687. Jon 4:2 Zvino wakanyengetera kuna Jehovha ndokuti: Haiwa, Jehovha, raiva risiri iro shoko rangu here pandaiva ndiri munyika yekwangu? Naizvozvo ndakakurumidza kutiza kuenda kuTashishi; nokuti ndaiziva kuti muri Mwari ane nyasha, uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa, uye weunyoro ukuru, uye munozvidemba pamusoro pezvakaipa.
  22688. Jon 4:3 Naizvozvo ikozvino Jehovha, torai henyu upenyu hwangu kubva kwandiri, nokuti rufu rwangu rwuri nani pane upenyu hwangu.
  22689. Jon 4:4 Zvino Jehovha wakati: Waita zvakanaka kutsamwa here?
  22690. Jon 4:5 Zvino Jona wakabuda muguta, ndokunogara kurutivi rwemabvazuva rweguta, ndokuzviitira dumba ipapo, ndokugara pasi paro mumumvuri, kusvika aona zvichaitika kuguta.
  22691. Jon 4:6 Jehovha Mwari ndokugadzirira muti, ndokuumeresa kuva pamusoro paJona, kuti uve mumvuri pamusoro pemusoro wake, kumununura pamarwadzo ake. Naizvozvo Jona wakafara nemufaro mukuru nekuda kwemuti.
  22692. Jon 4:7 Asi Mwari wakagadzirira gonye pakasimuka mangwanani zuva raitevera; iro ndokurova muti zvekuti wakasvava.
  22693. Jon 4:8 Zvino zvakaitika zuva parakabuda, kuti Mwari wakagadzirira mhepo inopisa yekumabvazuva; zuva ndokurova pamusoro pemusoro waJona, zvekuti wakaziya ndokushumba kuti mweya wake ufe, ndokuti: Rufu rwangu rwuri nani pane upenyu hwangu.
  22694. Jon 4:9 Zvino Mwari wakati kuna Jona: Waita zvakanaka here kutsamwira muti? Iye ndokuti: Ndaita zvakanaka kuti nditsamwe kusvika parufu.
  22695. Jon 4:10 Jehovha ndokuti: Iwe wakava netsitsi nemuti, wausina kutamburira, wausina kumeresa, uyo wakavapo neusiku humwe, ndokuparara neusiku humwe.
  22696. Jon 4:11 Zvino ini handingavi netsitsi neNinivhe here, guta guru, mune vanhu vanopfuura zvuru zana nemakumi maviri, vasingazivi kusiyanisa ruoko rwavo rwerudyi neruoko rwavo rweruboshwe, uye zvipfuwo zvizhinji
  22697. Mic 1:1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Mika muMorasheti pamazuva aJotamu, Ahazi, Hezekia, madzimambo aJudha, raakaona maererano neSamariya neJerusarema.
  22698. Mic 1:2 Inzwai, imwi marudzi, mose; teerera, iwe nyika, nekuzara kwayo; zvino Ishe Jehovha ngaave chapupu achipokana nemwi, Ishe ari mutembere yake tsvene.
  22699. Mic 1:3 Nokuti tarirai, Jehovha anobuda kubva panzvimbo yake, uye achaburuka ndokutsika-tsika pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzepanyika.
  22700. Mic 1:4 Uye makomo achanyunguduka pasi pake, uye mipata ichatsemuka senamo pamberi pemoto, semvura inodururwa pamawere.
  22701. Mic 1:5 Zvose izvi zviripo nekuda kwechitadzo chaJakove, uye nekuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Chitadzo chaJakove chii? Harisi Samariya here? Uye nzvimbo dzakakwirira dzaJudha chii? Harisi Jerusarema here?
  22702. Mic 1:6 Naizvozvo ndichaita Samariya rive murwi wesango, senzvimbo dzekusimwa kwemuzambiringa; uye ndichadurura mabwe aro mumupata, uye ndichafukura nheyo dzaro.
  22703. Mic 1:7 Uye zvifananidzo zvaro zvose zvakavezwa zvichaputsanyiwa, nemibairo yaro yose yechifeve ichapiswa nemoto; nezvifananidzo zvaro zvose ndichazviita dongo; nokuti wakaunganidza kubva pamubairo wechifeve, uye vakadzosera pamubairo wechifeve.
  22704. Mic 1:8 Naizvozvo ndicharira nekuungudza; ndichafamba ndakakururwa ndakashama. Ndichaita mariro semakava, nekuchema semhou.
  22705. Mic 1:9 Nokuti mavanga aro haarapiki, nokuti zvasvika kuna Judha; zvasvikira pasuwo revanhu vangu, paJerusarema.
  22706. Mic 1:10 Musataura paGati, musarira zvekurira, muzviumburudze muguruva muimba yaAfura.
  22707. Mic 1:11 Zvipfuurire, iwe mugarikadzi weShafira, wakashama uchinyara; mugarikadzi weZaanani haana kubuda; kurira kweBheti-Ezeri kuchatora kumira kwake kwamuri.
  22708. Mic 1:12 Nokuti mugarikadzi weMaroti anomirira muzvakanaka; nokuti chakaipa chaburuka kubva kuna Jehovha kusvika pasuwo reJerusarema.
  22709. Mic 1:13 Iwe mugarikadzi weRakishi, sungira ngoro pamabhiza anomhanyisa, iro kutanga kwechivi kumukunda weZiyoni, nokuti mauri makawanikwa zvitadzo zvaIsraeri.
  22710. Mic 1:14 Naizvozvo uchapa zvipo zvekuoneka kuna Moresheti-Gati; dzimba dzeAkizibhi dzichava unyengeri kumadzimambo aIsraeri.
  22711. Mic 1:15 Ndichaunzazve mudyi wenhaka kwauri, iwe mugarikadzi weMaresha; achauya paAdhuramu, rukudzo rwaIsraeri.
  22712. Mic 1:16 Zviitire baravara, uye uvevure, nekuda kwevana verudo rwako; kurisa baravara rako segondo, nokuti vakaenda kuutapwa kubva kwauri.
  22713. Mic 2:1 Nhamo kune vanoronga zvakaipa, nevanoita zvakashata pamibhedha yavo; pachiedza chemangwanani vanozviita, nokuti zviri musimba reruoko rwavo.
  22714. Mic 2:2 Uye vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokudzitora; saizvozvo vanomanikidza murume neimba yake, hongu, munhu nenhaka yake.
  22715. Mic 2:3 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungabvisi mitsipa yenyu pazviri, uye hamungafambi nekuzvikudza; nokuti inguva yakaipa.
  22716. Mic 2:4 Pazuva iro kuchasimudzwa mufananidzo pamusoro penyu, nekuchema mariro anosiririsa, vagoti: Taparadzwa zvachose, washandura mugove wevanhu vangu, wabvisa sei kubva kwandiri! Achidzokera shure, wakagovera minda yedu.
  22717. Mic 2:5 Naizvozvo haungavi neanokanda rwonzi nemujenya paungano yaJehovha.
  22718. Mic 2:6 Regai kuporofita, ivo vachaporofita; kana vasingaporofiti zvinhu izvi, nyadzi hadzingabvi.
  22719. Mic 2:7 Iwe unodaidzwa kuti imba yaJakove: Mweya waJehovha wafupiswa here? Izvi zviito zvake here? Mashoko angu haaiti zvakanaka here kune anofamba zvakarurama?
  22720. Mic 2:8 Asi zuro vanhu vangu vakasimuka kuva muvengi; munozumbura jazi pamberi penguvo dzevanopfuura vakachengetedzeka vakafuratira kurwa.
  22721. Mic 2:9 Munodzinga vakadzi vevanhu vangu, umwe neumwe kubva muimba yake yemafaro; kubva pavacheche vake munobvisa rukudzo rwangu kusvika pakusingaperi.
  22722. Mic 2:10 Simukai muende, nokuti iyi haisi nzvimbo yezororo, nekuda kwekuti yakasviba, inoparadza, iko kuparadza kunorwadza.
  22723. Mic 2:11 Kana munhu achifamba achitevera mhepo nekureva nhema achiti: Ndichakuporofita zvewaini nezvezvinwiwa zvinodhaka; iye achava muporofita wevanhu ava.
  22724. Mic 2:12 Zvirokwazvo ndichakuunganidza, Jakove, iwe wose; zvirokwazvo ndichabwerengedza vakasara vaIsraeri; ndichavaisa pamwe semakwai eBhozira, seboka pakati peufuro hwawo; vachaita ruzha nekuda kwevanhu.
  22725. Mic 2:13 Mupazi wakakwira pamberi pavo; vapaza, vapfuura pasuwo, vabuda naro. Uye mambo wavo wakapfuura pamberi pavo, uye Jehovha ari pamusoro wavo.
  22726. Mic 3:1 Zvino ndakati: Inzwai henyu, imwi misoro yaJakove, nemwi machinda eimba yaIsraeri. Hazvisi zvenyu here kuti muzive mutongo?
  22727. Mic 3:2 Munovenga zvakanaka, uye munoda zvakaipa, munovhiya ganda ravo kubva pavari, nenyama yavo kubva pamapfupa avo.
  22728. Mic 3:3 Munodyawo nyama yevanhu vangu, nekusvuura ganda ravo kubva pavari, uye munovhuna mapfupa avo, nekuaguranya sezviri muhari, uye senyama mukati megate.
  22729. Mic 3:4 Ipapo vachachema kuna Jehovha, asi haangavapinduri; achavanzawo chiso chake kubva pavari panguva iyoyo, sezvavakaita zviito zvavo zvive zvakaipa.
  22730. Mic 3:5 Anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevaporofita, vanotsausa vanhu vangu, vanoruma nemazino avo, uye vanodana: Rugare. Asi asingaisi chinhu mumuromo mavo, vanogadzirira hondo kumurwisa.
  22731. Mic 3:6 Naizvozvo huchava usiku kwamuri, pasina chiratidzo, uye richava rima kwamuri, pasina kushopera; uye zuva richavirira vaporofita, uye zuva richavasvibira.
  22732. Mic 3:7 Zvino vaoni vachanyara, nevashoperi vachasvoda, hongu, vose vachafukidza miromo yavo, nokuti hakungavi nemhinduro yaMwari.
  22733. Mic 3:8 Asi zvirokwazvo ini ndizere simba neMweya waJehovha, nemutongo, neumhare, kuzivisa kuna Jakove chitadzo chake, nekuna Israeri chivi chake.
  22734. Mic 3:9 Inzwai henyu ichi, imwi misoro yeimba yaJakove, nemachinda eimba yaIsraeri, munosema mutongo, nekuminamisa kururama kose.
  22735. Mic 3:10 Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusarema neuipi.
  22736. Mic 3:11 Misoro yaro inotongera mubairo, uye vapristi varo vanodzidzisira muripo, nevaporofita varo vanoshoperera mari; zvakadaro vanosendama pana Jehovha, vachiti: Jehovha haasi pakati pedu here? Hakuna chakaipa chingawira pamusoro pedu.
  22737. Mic 3:12 Naizvozvo nekuda kwenyu Ziyoni richarimwa semunda, neJerusarema richava mirwi, negomo reimba senzvimbo yakakwirira yedondo.
  22738. Mic 4:1 Asi pamazuva ekupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richamiswa pamusoro penhongonya yemakomo, uye richasimudzirwa kuva pamusoro pezvikomo; uye marudzi achayererera kwariri.
  22739. Mic 4:2 Zvino marudzi mazhinji achaenda, uye achiti: Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha nekuimba yaMwari waJakove; uye achatidzidzisa zvenzira dzake, uye tichafamba nemakwara ake. Nokuti murairo uchabuda paZiyoni, neshoko raJehovha paJerusarema.
  22740. Mic 4:3 Zvino achatonga pakati pemarudzi mazhinji, nekutsiura ndudzi dzine simba dziri kure; uye vachapfura minondo yavo kuita miromo yemagejo, nemapfumo avo kuita zvekugurira miti; rudzi harwungasimudziri rudzi munondo, uye havangazodzidzizve hondo.
  22741. Mic 4:4 Asi vachagara umwe neumwe pasi pemuzambiringa wake uye pasi pemuti wake wemuonde, uye hakuna achavatyityidzira; nokuti muromo waJehovha wehondo wataura.
  22742. Mic 4:5 Nokuti marudzi ose achafamba, umwe neumwe muzita ramwari wake; asi isu tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu kusvika pakusingaperi-peri.
  22743. Mic 4:6 Nezuva iro, anoreva Jehovha, ndichaunganidza anokamhina, nekukokorodza wakadzingwa, newandakatambudza.
  22744. Mic 4:7 Anokamhina ndichamuita wakasara, newakadzingirwa kure ave rudzi rwune simba. Zvino Jehovha achatonga pamusoro pavo pagomo reZiyoni kubva ikozvino kusvika pakusingaperi.
  22745. Mic 4:8 Zvino iwe, shongwe yeEdheri, nhare yemukunda weZiyoni, zvichasvika kwauri, hongu, ushe hwekutanga huchasvika, umambo kumukunda weJerusarema.
  22746. Mic 4:9 Ikozvino unodanidzirirei zvikuru? Mambo haasi kwauri here? Mupi wemazano wako waparara here? Nokuti marwadzo emimba akakubata semukadzi anopona?
  22747. Mic 4:10 Iva mukurwadziwa, urwadziwe nemimba ugopona, iwe mukunda weZiyoni, semukadzi ari pakusununguka, nokuti ikozvino unobuda kubva muguta, uye uchanogara musango, uye uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchazonunurwa, ikoko Jehovha achakudzikinura kubva muruoko rwevavengi vako.
  22748. Mic 4:11 Ikozvinowo marudzi mazhinji akakuunganira, anoti: Ngaasvibiswe, uye meso edu ngaaone Ziyoni.
  22749. Mic 4:12 Asi ivo havazivi pfungwa dzaJehovha, uye havanzwisisi zano rake; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro.
  22750. Mic 4:13 Simuka upure, iwe mukunda weZiyoni; nokuti ndichaita runyanga rwako dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira. Zvino uchaputsanya marudzi mazhinji; uye ndichatsaurira mubairo wavo kuna Jehovha, nefuma yavo kuna Ishe wenyika yose.
  22751. Mic 5:1 Ikozvino ungana, iwe mukunda wehondo dzakarongwa; iye wakaisa kukomba kwatiri; netsvimbo vacharova mutongi waIsraeri padama.
  22752. Mic 5:2 Asi iwe Bheterehemu Efurati, kunyange uri mudiki pakati pezvuru zvaJudha, achabuda kubva kwauri kuuya kwandiri uyo achava mutongi kwaIsraeri, kubuda kwake ndekwekare, kubva pamazuva epakusingaperi.
  22753. Mic 5:3 Naizvozvo uchavapa kuvavengi kusvika yava nguva yekuti anopona apone; ipapo vakasara vehama dzake vachadzokera kuvana vaIsraeri.
  22754. Mic 5:4 Zvino achamira nekufudza musimba raJehovha, pakusimuka kwezita raJehovha Mwari wake; uye vachagara, nokuti ikozvino achava mukuru kusvika kumigumo yenyika.
  22755. Mic 5:5 Zvino uyu achava rugare, muAsiriya paachapinda munyika yedu, nepaachatsika pamizinda yedu, ipapo tichamumutsira vafudzi vanomwe, nemachinda masere evanhu.
  22756. Mic 5:6 Zvino vachadya nyika yeAsiriya nemunondo, nenyika yaNimurodhi pamikova yayo. Saizvozvi achanunura kubva kumuAsiriya, paachapinda munyika yedu nepaachatsika pamiganhu yedu.
  22757. Mic 5:7 Zvino vakasara vaJakove vachava pakati pemarudzi mazhinji, sedova rinobva kuna Jehovha, semupfunho pamusoro peuswa, zvisingamiriri munhu uye zvisingagariri vanakomana vevanhu.
  22758. Mic 5:8 Zvino vakasara vaJakove vachava pakati pevechirudzi pakati pemarudzi mazhinji, seshumba pakati pemhuka dzesango, seshumba diki pakati pemapoka emakwai, inoti painopfuura, inotsika nekubvamburanya, kusina anonunura.
  22759. Mic 5:9 Ruoko rwenyu rwuchakwirira pamusoro pevadzivisi venyu, uye vavengi venyu vose vachagurwa.
  22760. Mic 5:10 Zvino zvakaitika pazuva iro, anoreva Jehovha, ndichagura mabhiza ako kubva pakati pako, uye ndichaparadza ngoro dzako.
  22761. Mic 5:11 Zvino ndichagura maguta enyika yako, nekukoromorera pasi nhare dzako dzose.
  22762. Mic 5:12 Zvino ndichagura uroyi kubva muruoko rwako, uye haungazovi nevafemberi.
  22763. Mic 5:13 Zvino ndichagura zvifananidzo zvako zvakavezwa neshongwe dzako dzimire kubva pakati pako, uye haungazoshumirizve mabasa emaoko ako.
  22764. Mic 5:14 Zvino ndichadzura matanda ekunamata nawo ako kubva pakati pako, nekuparadza maguta ako.
  22765. Mic 5:15 Zvino ndichaita tsivo mukutsamwa nemukupfuta kumarudzi asina kuteerera.
  22766. Mic 6:1 Inzwai henyu ichi Jehovha chaanoreva: Simuka, ugorwisana nemakomo; nezvikomo ngazvinzwe inzwi rako.
  22767. Mic 6:2 Inzwai, imwi makomo, kurwisa kwaJehovha, nemwi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nokuti Jehovha ane kurwisana nevanhu vake, uye achapikisana naIsraeri.
  22768. Mic 6:3 Rudzi rwangu, ndakaitei kwauri? Uye chii chandakakunetesa nacho? Pupura uchindipikisa.
  22769. Mic 6:4 Nokuti ndakakukwidzai kubva panyika yeEgipita, uye ndikakudzikinurai kubva paimba yeuranda, uye ndikatuma pamberi penyu Mozisi, Aroni, naMiriamu.
  22770. Mic 6:5 Rudzi rwangu, rangarira zvino izvo Bharaki mambo waMoabhi zvaakaronga, neizvo Bharami mwanakomana waBheori zvaakapindura kwaari, kubva paShitimi kusvika paGirigari; kuti uzive mabasa akarurama aJehovha.
  22771. Mic 6:6 Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndigokotama pamberi paMwari wakakwirira? Ndichauya pamberi pake nezvipo zvinopiswa, ndine mhuru dzegore rimwe?
  22772. Mic 6:7 Jehovha ungafadzwa here nezvuru zvemakondohwe, nezvuru gumi zvenzizi dzemafuta? Ndingapa dangwe rangu pachitadzo changu, chibereko chedumbu rangu pachivi chemweya weupenyu wangu?
  22773. Mic 6:8 Wakazivisa kwauri, munhu, izvo zvakanaka; zvino Jehovha anotsvakei kwauri kunze kwekuita mutongo, nekuda unyoro, nekufamba mukuzvininipisa naMwari wako?
  22774. Mic 6:9 Inzwi raJehovha rinodanidzira kuguta. Neuchenjeri huchaona zita renyu. Inzwai shamhu, newakaimisa.
  22775. Mic 6:10 Muchine fuma yakaipa muimba yewakaipa here, uye efa yakatapudzwa inonyangadza here?
  22776. Mic 6:11 Ndingava wakachena nezviyero zveuipi here, uye nehomwe yezviyereso zveunyengeri?
  22777. Mic 6:12 Nokuti vafumi varo vazere nemhirizhonga, uye vagari varo vanotaura nhema, uye rurimi rwavo rwune unyengeri mumuromo wavo.
  22778. Mic 6:13 Naizvozvo neni ndichakurwarisa, pakukurova, pakuita dongo nekuda kwezvivi zvako.
  22779. Mic 6:14 Iwe uchadya asi haungaguti, uye kupera simba kwako kuchava mukati mako. Zvino uchabvisa, asi haunganunuri; uye chauchanunura ndichapa kumunondo.
  22780. Mic 6:15 Iwe uchadzvara, asi haungakohwi; iwe uchasvina maorivhi, asi haungazvizodzi mafuta; newaini itsva, asi haunganwi waini.
  22781. Mic 6:16 Nokuti zvimiso zvaOmiri zvinochengetwa, nemabasa ose eimba yaAhabhi, uye munofamba mumazano avo; kuti ndikuitei dongo, nevagari varo vave chinhu chinoridzirwa muridzo; saizvozvo muchatakura kushoorwa kwevanhu vangu.
  22782. Mic 7:1 Nhamo kwandiri! Nokuti ndava sepakohwewa kwezvibereko zvemuzhizha, sekufuhurudza kwegoho remazambiringa; hapana sumbu rekudya; mweya weupenyu wangu unoshuva zvibereko zvekutanga zvakaibva.
  22783. Mic 7:2 Munhu anotya Mwari wakaparara kubva panyika; uye hakuna wakarurama pakati pevanhu; vose vanovandira ropa; vanovhima umwe neumwe hama yake nemumbure.
  22784. Mic 7:3 Kuti vaite zvakaipa nemaoko maviri mukushingaira, muchinda anokumbira, nemutongi anokumbira mubairo, nemukuru, iye anotaura ruchiva rwemweya weupenyu wake; uye vanozvirukanidza.
  22785. Mic 7:4 Wakanakisisa wavo wakaita serukato; wakarurama anopfuura ruzhowa rwemunzwa; zuva renharirire dzako, kushanyirwa kwako kwasvika; ikozvino kukanganiswa kwavo kuchavapo.
  22786. Mic 7:5 Regai kuvimba neshamwari; regai kutenda hama; chengetedza mikova yemuromo wako kubva pane mukadzi akarara pachipfuva chako.
  22787. Mic 7:6 Nokuti mwanakomana anozvidza baba; mwanasikana anomirisana namai vake, muroora navamwene vake; vavengi vemunhu vanhu veimba yake.
  22788. Mic 7:7 Naizvozvo ini ndichatarira kuna Jehovha; ndichamirira Mwari weruponeso rwangu; Mwari wangu achandinzwa.
  22789. Mic 7:8 Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu; pandinowa, ndichamuka; pandinogara murima, Jehovha achava chiedza kwandiri.
  22790. Mic 7:9 Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvika achimiririra nyaya yangu, nekundiitira mutongo; achandibudisira kuchiedza; ndichaona kururama kwake.
  22791. Mic 7:10 Ipapo muvengi wangu achazviona, uye nyadzi dzichamufukidza, iye wakati kwandiri: Aripi Jehovha Mwari wako? Meso angu achamuona; ikozvino achava nzvimbo yekutsika-tsika sematope epanzira dzemumusha.
  22792. Mic 7:11 Zuva rekuvaka masvingo ako, nezuva iro miganhu ichava kure.
  22793. Mic 7:12 Zuva iro achauyawo kwauri kubva paAsiriya, nekumaguta akashoshewa, uye kubva kunhare kusvika kurwizi, uye kubva kugungwa kusvika kugungwa, uye kubva kugomo kusvika kugomo.
  22794. Mic 7:13 Zvakadaro nyika ichava dongo, nekuda kwevagari vayo, nekuda kwechibereko chezviito zvavo.
  22795. Mic 7:14 Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, boka renhaka yenyu, rinogara roga musango pakati peKarimeri; ngavafure paBhashani neGiriyadhi, sepamazuva ekare.
  22796. Mic 7:15 Sepamazuva ekubuda kwako kubva munyika yeEgipita, ndichamuratidza zvishamiso.
  22797. Mic 7:16 Marudzi achazviona ndokunyara pamusoro pesimba ravo rose; achaisa ruoko pamusoro pemuromo; nzeve dzawo dzichava matsi.
  22798. Mic 7:17 Achananzva guruva senyoka; sezvinokambaira zvenyika achadedera munhare dzawo; achauya kuna Jehovha Mwari wedu achidedera, uye achatya nekuda kwako.
  22799. Mic 7:18 Ndiani ari Mwari wakafanana nemwi, anokanganwira chivi, anodarika chitadzo chevakasara venhaka yake? Haachengeti kutsamwa kwake kusvika pakusingaperi, nokuti anofarira nyasha.
  22800. Mic 7:19 Achatendeuka, achatinzwira tsitsi, achatsikira pasi zvitadzo zvedu; imwi muchakandira zvivi zvavo zvose munzvimbo dzakadzika dzegungwa.
  22801. Mic 7:20 Achapa chokwadi kuna Jakove, nyasha kuna Abhurahama, iye wakapikira madzibaba edu kubva pamazuva ekare
  22802. Nam 1:1 Mutoro weNinivhe. Bhuku rechiratidzo chaNahumi muErikoshi.
  22803. Nam 1:2 Jehovha ndiMwari ane godo, uye mutsivi; Jehovha mutsivi uye ane hasha; Jehovha mutsivi kuvavengi vake; uye anochengetera vavengi vake hasha.
  22804. Nam 1:3 Jehovha anononoka kutsamwa, uye mukuru pasimba, uye Jehovha haangasununguri zvekusunungura ane mhosva; nzira yake iri muchamupupuri nemudutu remhepo, uye makore iguruva retsoka dzake.
  22805. Nam 1:4 Anotsiura gungwa, ndokuriomesa, nekuomesa nzizi dzose; Bhashani rinosvava, uye Karimeri, neruva reRebhanoni rinosvava.
  22806. Nam 1:5 Makomo anodedera pamberi pake, uye zvikomo zvinonyunguduka; nenyika inokwirira pamberi pake, nepasi, nevose vagerepo.
  22807. Nam 1:6 Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Uye ndiani angamira pakupfuta kwehasha dzake? Hasha dzake dzinoduruka semoto; nemabwe akaputsanyiwa naye.
  22808. Nam 1:7 Jehovha wakanaka; inhare pazuva rekutambudzika; uye anoziva vanovimba naye.
  22809. Nam 1:8 Asi nemafashame ari kupfuura achagumisa kwazvo nzvimbo yaro, uye rima richadzingirira vavengi vake.
  22810. Nam 1:9 Munorangarirei muchipokana naJehovha? Iye achaita mugumo wakakwana; kutambudzika hakungamuki rwechipiri.
  22811. Nam 1:10 Nokuti vachakorekana seminzwa, uye vakadhakwa sezvidhakwa, vachapedzwa semashanga akaoma kwazvo.
  22812. Nam 1:11 Murongi wezvakaipa kurwisana naJehovha wakabuda kwauri, mupi wemazano wakaipa.
  22813. Nam 1:12 Anoreva seizvi Jehovha: Kunyange vakatambarara, uye saizvozvo vakawanda, zvakadaro vachagurwa paachapfuura. Kunyange ndakakurwadzisa, handichakurwadzisizve.
  22814. Nam 1:13 Nokuti ikozvino ndichavhuna tsvimbo yake kubva kwauri, uye zvisungo zvako ndichadamburanya.
  22815. Nam 1:14 Zvino Jehovha wakapa murairo pamusoro pako kuti hakuchazodzvarwizve zvezita rako. Kubva muimba yevamwari vako ndichagura zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa. Ndichaita guva rako, nokuti haubatsiri.
  22816. Nam 1:15 Tarirai kumakomo tsoka dzinouisa mashoko akanaka, anodanidzira rugare! Iwe Judha, chengetedza mitambo yako, ita mhiko dzako, nokuti wakaipa haachazopfuurizve kwauri zvekare; wagurwa zvachose.
  22817. Nam 2:1 Muputsanyi wakwira pamberi pechiso chako; chengetedza nhare, rinda nzira, simbisa chiuno, simbisa masimba zvakasimba.
  22818. Nam 2:2 Nokuti Jehovha anodzosa ukuru hwaJakove seukuru hwaIsraeri. Nokuti vanovadurura vakavadurura ndokuparadza matavi emizambiringa yavo.
  22819. Nam 2:3 Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa; varume vakatsunga vakapfeka zvitsvuku; ngoro dziri mukati nemoto wedare pazuva rekuzvigadzirira kwake; nemiti yemifiri ichazungunuswa.
  22820. Nam 2:4 Ngoro dzinopenga munzira dzemumusha; dzinoenda uko neuko pamapani; kuonekwa kwadzo kwakaita semwenje mizhinji; dzinomhanya sedzimheni.
  22821. Nam 2:5 Acharangarira vakuru vake; vachagumburwa pakufamba kwavo; vachakurumidza parusvingo rwavo; uye chitaviriro chamiswa.
  22822. Nam 2:6 Masuwo enzizi achazarurwa, uye muzinda uchanyauka.
  22823. Nam 2:7 Zvino Huzabhi achaiswa muutapwa, achakwidzwa, uye varandakadzi vake vachatungamira sezvinoita neshoko renjiva zhinji vachirova pamoyo yavo.
  22824. Nam 2:8 Asi Ninivhe rakaita sedziva remvura kubva kare; zvakadaro vachatiza vachiti: Mirai! Mirai! Asi hakuna achadzoka.
  22825. Nam 2:9 Pambai sirivha, pambai goridhe; nokuti hakuna mugumo wezvakaunganidzwa, kubwinya kwenhumbi dzose dzinoshuviwa.
  22826. Nam 2:10 Harina chinhu, uye harichashandi, uye raparara; uye moyo unonyauka, nemabvi anorovana, nemarwadzo ari pazviuno zvose, nezviso zvavo vose zvacheneruka.
  22827. Nam 2:11 Huripi ugaro hweshumbakadzi, nenzvimbo yekudyira yeshumba diki iripi, paifamba shumba, shumba huru, nembwanana yeshumba, uye pasina anodzityityidzira?
  22828. Nam 2:12 Shumba yaibvamburanya zvakaringana imbwanana dzayo, ndokudzipira shumbakadzi yayo, ndokuzadza makara ayo nezvakapambiwa, nenzvimbo dzayo dzekugara nezvakabvamburwa.
  22829. Nam 2:13 Tarira, ndinopikisana newe, anoreva Jehovha wehondo, uye ndichapisa ngoro dzake muutsi, uye munondo uchapedza hando dzeshumba dzako, uye ndichagura zvakapambiwa zvako kubva panyika, uye shoko revatumwa vako haringanzwikwizve.
  22830. Nam 3:1 Nhamo kuguta reropa zhinji, rose rizere nhema [ne]ugororo; zvinopambiwa hazvibvi.
  22831. Nam 3:2 Ruzha rwetyava, neruzha rwekutinhira kwemavhiri, nerwemabhiza anotsika, nerwengoro dzinouruka.
  22832. Nam 3:3 Kune mutasvi webhiza anokwira, nemurazvo wemunondo, nekupenya kwepfumo, nekuwanda kwevakakuvadzwa, neuremu hwezvitunha, hongu hakuna mugumo wemitumbi, uye vanogumburwa pamitumbi yavo;
  22833. Nam 3:4 nekuda kweuwandu hweufeve uzhinji hwekunaka kwenyasha dzefambi, mwene weuroyi uzhinji, inotengesa marudzi neufeve hwayo uzhinji, nemhuri kubudikidza neuroyi hwayo uzhinji.
  22834. Nam 3:5 Tarira, ndinopikisana newe, anoreva Jehovha wehondo, uye ndafukura marokwe ako pamberi pechiso chako, uye ndaratidza marudzi kushama kwako, neumambo uzhinji nyadzi dzako.
  22835. Nam 3:6 Zvino ndakanda zvinyangadzo pamusoro pako, nekusakukudza, nekukuita sechiokerwa.
  22836. Nam 3:7 Zvino zvichaitika, umwe neumwe anokuona achatiza kubva kwauri, uye achati: Ninivhe rapambiwa. Ndiyani acharichemera? Ndichakutsvagirepi vanyaradzi?
  22837. Nam 3:8 Uri nani kuna No-Amoni here, raiva rigere pakati penzizi, mvura yakaripoteredza, rusvingo rwaro riri gungwa, madziro aro achibva pagungwa?
  22838. Nam 3:9 Itiyopiya neEgipita raiva simba raro, uye raisapera; Puti neRubhimi vaiva pakukubatsira.
  22839. Nam 3:10 Zvakadaro rakatapiwa rakaenda muutapwa; vanana varowo vakaputsanyiwa panhongonya penzira dzose dzemumusha; zvino vakakandira mujenya vanhu varo vose vanokudzwa; uye vakuru varo vose vakasungwa nemaketani.
  22840. Nam 3:11 Newewo uchadhakwa; uchavanda; newewo uchatsvaka utiziro nekuda kwemuvengi.
  22841. Nam 3:12 Nhare dzako dzose mionde ine zvibereko zvekutanga; kana ikazungunuswa, zvinowira mumuromo memudyi.
  22842. Nam 3:13 Tarira, vanhu vako, vakadzi pakati pako, masuwo enyika yako achazarukira kwazvo vavengi vako; moto uchapedza zvipfigiso zvako.
  22843. Nam 3:14 Zvicherere mvura zhinji yekukombwa; usimbise nhare dzako; pinda mudope, uye ukanye ivhu; usimbise hondo yezvitinha.
  22844. Nam 3:15 Apo moto uchakuparadza; munondo uchakugura, uchakupedza segwatakwata; zviwanze segwatakwata, zviwanze semhashu.
  22845. Nam 3:16 Wakapamhidzira vatengesi vako kupfuura nyeredzi dzekumatenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka ndokuenda.
  22846. Nam 3:17 Vakashongedzwa korona vako semhashu, nemachinda ako semhashu zhinji, vakaita misasa pavuzhowa pazuva rechando; zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hakuchazikanwi nzvimbo yadzo kuti dziripi.
  22847. Nam 3:18 Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiriya; vanokudzwa vako vachagara; vanhu vako vachapararira pamusoro pemakomo, uye hakuna achaunganidza.
  22848. Nam 3:19 Hakuna kurapiwa kwekuvhunika kwako; vanga rako rinorwadza; vose vanonzwa guhu rako vachapwatisa maoko pauri; nokuti ndepana ani uipi hwako pahusina kupfuura rinhi narinhi
  22849. Hab 1:1 Mutoro Habhakuki muporofita waakaona.
  22850. Hab 1:2 Jehovha, ndichachemera rubatsiro kusvika rinhi, imwi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamhirizhonga, asi hamundiponesi!
  22851. Hab 1:3 Munondiratidzirei chitadzo, muchitarira zvinotambudza, nekupamba, nemhirizhonga pamberi pangu? Uye gakava riripo, nenharo dzinosimuka.
  22852. Hab 1:4 Naizvozvo murairo hauna simba, uye mutongo hautongobudi; nokuti wakaipa wakakomba wakarurama; naizvozvo mutongo wakaminama unobuda.
  22853. Hab 1:5 Onai pakati pemarudzi, mutarire, shamiswai zvekushamisika; nokuti ndichaita basa pamazuva enyu ramusingazotendi kunyange rakarehwa.
  22854. Hab 1:6 Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhiya, rudzi rwune hasha rwunokurumidza, rwunofamba pakufarikana kwenyika, kugara nhaka yenzvimbo dzekugara dzisiri dzarwo.
  22855. Hab 1:7 Rwunotyisa uye rwunokarudza, mutongo warwo neukuru hwarwo hunobuda marwuri.
  22856. Hab 1:8 Mabhiza avowo anomhanyisa kupfuura ingwe, uye anopinza kupfuura mhumhi dzemadekwani; uye vatasvi varwo vemabhiza vachapararira, nevatasvi varwo vemabhiza vachabva kure; vachabhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
  22857. Hab 1:9 Vose vachasvikira mhirizhonga; zviso zvavo zvichatarira kumabvazuva; uye vachaunganidza vatapwa sejecha.
  22858. Hab 1:10 Zvino ivo vachanyomba madzimambo; nemachinda achava chiseko kwavari; ivo vachaseka guta rimwe nerimwe rakashoshewa; nokuti vachatutira guruva ndokuritora.
  22859. Hab 1:11 Ipapo vachakukura semhepo, ndokupfuura, ndokutsauka, ndokuverengera simba rarwo iri kuna mwari warwo.
  22860. Hab 1:12 Hamubvi pakusingaperi here, Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu? Hatingafi. Imwi Jehovha, makavamisira mutongo, nemwi Dombo, makavatemera murango.
  22861. Hab 1:13 Imwi makachena kwazvo pameso pane kuti muone chakaipa; musingakwanisi kutarisa zvinonyangadza. Munovatarisirei vanonyengera, muchinyarara wakaipa paanomedza wakarurama kumupfuura?
  22862. Hab 1:14 Muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mutongi?
  22863. Hab 1:15 Vanokwidza vose nehaka, vanovakweva mumumbure wavo, ndokuvaunganidza murutava rwavo; naizvozvo vanofara ndokupembera.
  22864. Hab 1:16 Naizvozvo vanobaira mumbure wavo, nekupisira rutava rwavo zvipfungaidzo zvinonhuhwira; nokuti mugove wavo wakakora nazvo, uye zvekudya zvavo zvine mafuta.
  22865. Hab 1:17 Naizvozvo vanodurura mumbure wavo here, vachirega kuramba vachiuraya marudzi evanhu?
  22866. Hab 2:1 Ndichamira panzvimbo yangu yekurindira, uye ndichazvimisa panhare, ndigorinda, kuti ndione kuti achati chii kwandiri, nezvandichapindura pagakava rangu.
  22867. Hab 2:2 Zvino Jehovha wakandipindura ndokuti: Nyora chiratidzo, uchiite chive pachena pamahwendefa, kuti amhanye anochiverenga.
  22868. Hab 2:3 Nokuti chiratidzo chichazova chenguva yakatarwa; asi chichataura pakupedzisira, uye hachingarevi nhema; kunyange chikanonoka, uchirindire, nokuti zvirokwazvo chichasvika, hachinganonoki.
  22869. Hab 2:4 Tarirai, anozvikudza, mweya weupenyu wake hauna kururama kwaari; asi wakarurama achararama nerutendo rwake.
  22870. Hab 2:5 Uyezve, nokuti anonyengera newaini, ari munhu anozvikudza, asingagari kumba, achikudza chishuvo chake seSheori, uye wakafanana nerufu, uye haangaguti, asi anounganidzira marudzi ose kwaari, uye anozvikokera vanhu vose:
  22871. Hab 2:6 Ava vose havangamusimudziri dimikira here, netsumo iri chiseko pamusoro pake? Zvino vachati: Nhamo kune anowanza zvisati zviri zvake. Kusvika rinhi? Uye anozvitakudza chibatiso!
  22872. Hab 2:7 Vachakurumai havangasimuki pakarepo here, uye vamuka vachakuzungunusa here? Zvino uchava zvakapambiwa kwavari.
  22873. Hab 2:8 Nokuti iwe wakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vevanhu vachakupamba; nekuda kweropa zhinji revanhu, nemhirizhonga yenyika, guta, nevose vagere mariri.
  22874. Hab 2:9 Nhamo kune anowanira imba yake mubairo wakaipa, kuti aise dendere rake pamusoro, kuti asunungurwe muruoko rwezvakaipa!
  22875. Hab 2:10 Makaranganira imba yako chinyadzo, kugura vanhu vazhinji, naizvozvo wakatadzira mweya weupenyu wako.
  22876. Hab 2:11 Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, uye puranga richaripindura riri padanda.
  22877. Hab 2:12 Nhamo kune anovaka musha neropa zhinji, nekumisa guta nechitadzo!
  22878. Hab 2:13 Tarirai, hazvibvi kuna Jehovha wehondo here, kuti marudzi ashingairire moto, uye vanhu vazvinetesere zvisina maturo?
  22879. Hab 2:14 Nokuti nyika ichazadzwa neruzivo rwerukudzo rwaJehovha, semvura zhinji inofukidza gungwa.
  22880. Hab 2:15 Nhamo kune anonwisa wekwake, anodurura bhodhoro rako, achidhakisawo, kuti aone kushama kwavo!
  22881. Hab 2:16 Muchaguta nyadzi pasina rukudzo; inwawo iwe, uye uve asina kudzingiswa; mukombe weruoko rwerudyi rwaJehovha unokutendeukira; nenyadzi dzive pamusoro perukudzo rwako.
  22882. Hab 2:17 Nokuti mhirizhonga yeRebhanoni ichakufukidza; uye kuparadzwa kwemhuka kuchavatyityidzira, nekuda kweropa revanhu, uye kwemhirizhonga yepanyika, guta, nevose vagere mariri.
  22883. Hab 2:18 Chifananidzo chakavezwa chinobatsirei muvezi wacho zvaakachiveza? Chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa nemudzidzisi wenhema, kuti muumbi avimbe nechaakaumba chake, kuita zvifananidzo zviri mbeveve?
  22884. Hab 2:19 Nhamo kune anoti kudanda: Pepuka! Anoti kuibwe riri mbeveve: Muka, iro richadzidzisa! Tarirai, zvakanamirwa negoridhe nesirivha, asi hakuna mweya upi zvawo mukati mazvo.
  22885. Hab 2:20 Asi Jehovha ari mutembere yake tsvene. Nyarara pamberi pake, nyika yose.
  22886. Hab 3:1 Munyengetero waHabhakuki muporofita paShigionoti.
  22887. Hab 3:2 Jehovha, ndakanzwa shoko renyu, ndakatya; Jehovha, basa renyu pakati pemakore, rimutsiridzei; pakati pemakore, zivisai; pakutsamwa, murangarire nyasha.
  22888. Hab 3:3 Mwari wakabva kuTemani, uye Mutsvene kubva pagomo reParani. Sera. Ukuru hwake hwakafukidza matenga, nenyika yakazara nerumbidzo yake.
  22889. Hab 3:4 Uye kupenya kwaiva kwakaita sechiedza; aiva nemiseve yaibva muruoko rwake; uye ipapo paiva nekuvanda kwesimba rake.
  22890. Hab 3:5 Pamberi pake pakafamba hosha; nemurazvo unopfuta wakabuda patsoka dzake.
  22891. Hab 3:6 Wakamira; ndokuyera nyika; wakaona; ndokudederesa marudzi; nemakomo ekusingaperi akapararira; zvikomo zvekare zvakakotama; nzira dzekusingaperi ndedzake.
  22892. Hab 3:7 Ndakaona matende eKushani pasi penhamo; maketeni enyika yeMidhiani anodedera.
  22893. Hab 3:8 Jehovha wakatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzairwisa nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwairwisa gungwa here, zvamotasva mabhiza enyu, ngoro dzenyu dzeruponeso?
  22894. Hab 3:9 Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo, pamhiko dzemarudzi, pane shoko. Sera. Makapamura nyika nenzizi.
  22895. Hab 3:10 Makomo akakuonai akadedera; kudira kwemvura kwakapfuura; udziku hwakabudisa inzwi rahwo; hwakasimudzira maoko ahwo kumusoro.
  22896. Hab 3:11 Zuva, mwedzi zvakamira paugaro hwazvo; pakupenya kwemiseve yenyu zvakaenda, nekupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
  22897. Hab 3:12 Pakutsamwa makatsika nyika; pahasha makapura marudzi.
  22898. Hab 3:13 Makabudira ruponeso rwevanhu venyu, ruponeso rwemuzodzwa wenyu; makakuvadza musoro weimba wewakaipa, nekufukura nheyo kusvika mumutsipa. Sera.
  22899. Hab 3:14 Makabaya netsvimbo dzake musoro wevarume vake vehondo; vakava sechamupupuri kundiparadzira; kufara kwavo kwaiva sekwekudya murombo pakavanda.
  22900. Hab 3:15 Makatsika pakati pegungwa nemabhiza enyu, murwi wemvura zhinji.
  22901. Hab 3:16 Pandakanzwa, dumbu rangu rakadedera; miromo yangu yakabvunda neinzwi; kuora kwakapinda mumapfupa angu; uye ndikadedera panzvimbo yangu, kuti ndizorore pazuva redambudziko; pakukwira kwake kurwisa vanhu achavawira.
  22902. Hab 3:17 Kunyange muonde ukasatunga maruva, nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, kubereka kwemuorivhi kukakona, neminda ikasabereka zvekudya, makwai akabviswa muchirugu, nemombe dzikashaikwa mumatanga,
  22903. Hab 3:18 zvakadaro ini ndichafara muna Jehovha, ndichava nemufaro muna Mwari weruponeso rwangu.
  22904. Hab 3:19 Jehovha Ishe isimba rangu, anoita tsoka dzangu dzive sehadzi yenondo, anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wekuimba, nemitengeranwa yangu
  22905. Zep 1:1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedhariya, mwanakomana waAmariya, mwanakomana waHezekiya, pamazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha.
  22906. Zep 1:2 Ndichapedza zvekupedza zvose zvibve pachiso chenyika, anoreva Jehovha.
  22907. Zep 1:3 Ndichapedza munhu nemhuka; ndichapedza shiri dzekumatenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwe nevakaipa; uye ndichagura munhu kubva pachiso chenyika; anoreva Jehovha.
  22908. Zep 1:4 Zvino ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro paJudha, nepamusoro pevagari vose veJerusarema; uye ndichagura vakasara vaBhaari kubva panzvimbo ino, zita revaKemarimi pamwe nevapristi;
  22909. Zep 1:5 nevanoshumira hondo dzekumatenga pamusoro pematenga edzimba, nevanoshumira vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami;
  22910. Zep 1:6 nevanodzoka pakutevera Jehovha, nevasina kutsvaka Jehovha, uye vasina kumubvunza.
  22911. Zep 1:7 Nyararai pakuvapo kwaIshe Jehovha; nokuti zuva raJehovha rava pedo; nokuti Jehovha wakagadzirira chibairo; wakaita vakakokwa vake vatsvene.
  22912. Zep 1:8 Zvino zvichaitika nezuva rechibairo chaJehovha, ndicharanga machinda, nevanakomana vamambo, nevose vakapfeka nguvo dzevatorwa.
  22913. Zep 1:9 Zvino pazuva iro ndicharanga vose vanouruka nepamusoro pechikumbaridzo, vanozadza imba yevatenzi vavo nemhirizhonga nekunyengera.
  22914. Zep 1:10 Zvino pazuva iro, anoreva Jehovha, kuchava neinzwi rekuchema kubva pasuwo rehove, nekuungudza kubva pane rechipiri, nekukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.
  22915. Zep 1:11 Ungudzai, imwi vagari veMakiteshi; nokuti vanhu vose vanotengesa vagurirwa pasi, vose vakatakura sirivha vagurwa.
  22916. Zep 1:12 Zvino zvichaitika panguva iyo, ndichanzvera Jerusarema nemwenje mizhinji; uye ndicharanga varume vakagadzikana pamasese avo, vanoti mumoyo mavo: Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.
  22917. Zep 1:13 Naizvozvo fuma yavo ichava chakapambiwa, nedzimba dzavo dongo; vachavakawo dzimba, asi havangadzigari; uye vachasima minda yemizambiringa asi havanganwi waini yayo.
  22918. Zep 1:14 Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, uye rinokurumidza zvikuru; inzwi rezuva raJehovha; mhare ichachemapo zvinorwadza.
  22919. Zep 1:15 Zuva iro izuva rekutsamwa, zuva redambudziko nekushungurudzika, zuva rekurasika nekuparara, zuva rerima nekusviba, zuva remakore nerima gobvu.
  22920. Zep 1:16 Zuva rehwamanda nemhere kurwisana nemaguta akashoshewa nemasvingo nekurwisana neshongwe dzakakwirira.
  22921. Zep 1:17 Zvino ndichamanikidza vanhu, kuti vafambe semapofu; nokuti vakatadzira Jehovha; neropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.
  22922. Zep 1:18 Nesirivha yavo kana goridhe ravo hazvingagoni kuvanunura pazuva rekutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nemoto wegodo rake; nokuti achapedza, zvirokwazvo nekukurumidza vose vagari vepanyika.
  22923. Zep 2:1 Zviunganidzei, hongu, unganai, imwi rudzi rwusingashuviki,
  22924. Zep 2:2 chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kupfuta kwekutsamwa kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rekutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu.
  22925. Zep 2:3 Tsvakai Jehovha, imwi mose vanyoro venyika, imwi makaita mutongo wake. Tsvakai kururama, tsavakai unyoro; zvimwe mungavanzwa pazuva rekutsamwa kwaJehovha.
  22926. Zep 2:4 Nokuti Gaza richasiiwa, uye Ashikeroni rive dongo; vachadzinga Ashidhodhi pamasikati makuru, uye Ekironi richadzurwa.
  22927. Zep 2:5 Nhamo kuvagari vemahombekombe egungwa, rudzi rwevaKeteti! Shoko raJehovha rinopokana nemwi, iwe Kenani, nyika yevaFirisitia; uye ndichakuparadza, kuti musava nemugari.
  22928. Zep 2:6 Nemahombekombe egungwa achava mafuro ane matsime emvura yevafudzi, nezvirugu zvemakwai.
  22929. Zep 2:7 Zvino mahombekombe achava evakasara veimba yaJudha; vachadya paari; mudzimba dzaAshikeroni vacharara pamadekwani; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira, nekudzosa utapwa hwavo.
  22930. Zep 2:8 Ndakanzwa kunyomba kwaMoabhu, nekutuka kwevana vaAmoni, kwavakanyomba nako vanhu vangu, ndokuzvikudza kurwisana pamuganhu wavo.
  22931. Zep 2:9 Naizvozvo neupenyu hwangu, anoreva Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Zvirokwazvo Moabhu achava seSodhoma, nevana vaAmoni seGomora, nyika yerukato, negomba remunyu, nedongo kusvika pakusingaperi; vakasara vevanhu vangu vachavapamba, uye vasiiwa vevanhu vangu vachavagara nhaka.
  22932. Zep 2:10 Ndizvo zvavachava nazvo pachinzvimbo chekuzvikudza kwavo, nokuti vakanyomba nekuzvikudza kurwisana nevanhu vaJehovha wehondo.
  22933. Zep 2:11 Jehovha achatyisa kwavari, nokuti achaonza vamwari vose venyika; uye vachamushumira, umwe neumwe kubva panzvimbo yake, zviwi zvose zvemarudzi.
  22934. Zep 2:12 Nemwi vaItiyopiya, muchava vakaurawa nemunondo wangu.
  22935. Zep 2:13 Zvino achatandavadzira ruoko rwake kumaodzanyemba, ndokuparadza Asiriya, uye achaita Ninivhe dongo, riome serenje.
  22936. Zep 2:14 Zvino mapoka ezvipfuwo acharara pasi mukati maro, nemhuka dzose dzemarudzi; zviri zviviri hukurwizi nenungu zvicharara pamusoro pembiru dzaro; inzwi richaimba pahwindo; kuparara kuve pazvikumbaridzo; nokuti achafukunura basa remusidhari.
  22937. Zep 2:15 Iri iguta rinofara, rinogara rakatambarara, rinoti mumoyo maro: Ini, uye hakuna umwe kunze kwangu. Rava dongo sei, nzvimbo yemhuka yekuraramo. Umwe neumwe anopfuura nemariri anoriridzira muridzo, anomwiza ruoko rwake.
  22938. Zep 3:1 Nhamo kune rinosemesa uye rakasvibiswa, guta rinomanikidza!
  22939. Zep 3:2 Harina kuteerera kuinzwi; harina kugamuchira kurairwa; harina kuvimba naJehovha; harina kuswedera kuna Mwari waro.
  22940. Zep 3:3 Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba; vatongi varo mapumhi emadekwani; hadzin’un’uni mapfupa kusvika mangwanani.
  22941. Zep 3:4 Vaporofita varo vakareruka, vanhu vekunyengera kwazvo; vapristi varo vakasvibisa nzvimbo tsvene, vakaita mhirizhonga kumurairo.
  22942. Zep 3:5 Jehovha wakarurama ari mukati maro; haangaiti zvakaipa; mangwanani oga-oga anouisa mutongo wake pachena; haakonewi; asi asakarurama haazivi nyadzi.
  22943. Zep 3:6 Ndakagura marudzi; shongwe dzawo dzava matongo; ndakaita nzira dzawo dzemumusha dziparare, kuti hakuna anopfuura; maguta avo aparadzwa, kuti hakuna munhu, kuti hakuna mugari.
  22944. Zep 3:7 Ndakati: Zvirokwazvo uchanditya; uchagamuchira kurairwa; kuti ugaro hwavo husagurwa; zvose zvandinovaranga nazvo; zvirokwazvo, vanomuka mangwanani, vanoodza zviito zvavo zvose.
  22945. Zep 3:8 Naizvozvo ndimirirei, anoreva Jehovha, kusvika pazuva randinomukira chinopambwa; nokuti chinangwa changu kuunganidza marudzi, kuti ndiunganidze umambo uzhinji, kuti ndidurure pamusoro pavo hasha dzangu, kutsamwa kwangu kose kunopfuta; nokuti nyika yose ichapedzwa nemoto wegodo rangu.
  22946. Zep 3:9 Nokuti panguva iyo ndichadzorera marudzi rurimi rwakachena, kuti ose adane zita raJehovha, kuti amushumire nefudzi rimwe.
  22947. Zep 3:10 Kubva mhiri kwenzizi dzeItiyopiya vanyengeteri vangu, mukunda wevakapararira vangu, vachaunza chipo changu.
  22948. Zep 3:11 Pazuva iro haunganyadziswi nezviito zvako zvose zvawakanditadzira nazvo; nokuti ipapo ndichabvisa pakati pako avo vanofara mukuzvikudza kwako; uye haungaendereri mberi uchiva nemanyawi nekuda kwegomo rangu dzvene.
  22949. Zep 3:12 Zvino ndichasiya pakati pako vanhu vanotambudzika nevarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha.
  22950. Zep 3:13 Vakasara vaIsraeri havangaiti chakaipa, uye havangatauri nhema; nerurimi rwunonyengera harwungawanikwi mumuromo mavo; nokuti ivo vachadya ndokurara pasi; uye hapangavi nemutyityidziri.
  22951. Zep 3:14 Imba, iwe mukunda weZiyoni; danidzira, iwe Israeri; fara upembere nemoyo wose, iwe mukunda weJerusarema.
  22952. Zep 3:15 Jehovha wabvisa mitongo yako; wadzinga muvengi wako; mambo waIsraeri, Jehovha, ari pakati pako; haungazoonizve chakaipa.
  22953. Zep 3:16 Pazuva iro zvichanzi kuJerusarema: Usatya. Iwe, Ziyoni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba.
  22954. Zep 3:17 Jehovha Mwari wako ari pakati pako, ane simba, achaponesa; achakufarira nemufaro; uchanyarara parudo rwake; achakufarira nekuimba.
  22955. Zep 3:18 Ndichavaunganidza vakasuruvara nekuda kweungano yakatarwa; vaibva kwamuri; kuzvidzwa kwaiva mutoro pamusoro pavo.
  22956. Zep 3:19 Tarirai, panguva iyo ndichava nechekuita nevose vanokutambudza; uye ndichaponesa anokamhina, nekuunganidza wakadzingwa; uye ndichaita kuti vave rumbidzo nemukurumbira munyika yose kwavakanyadziswa.
  22957. Zep 3:20 Panguva iyo ndichakupinzai, ipo panguva yandichakuunganidzai; nokuti ndichakuitai zita nerumbidzo pakati pevanhu vose vepanyika, pandichadzosa utapwa hwenyu pamberi pemeso enyu, anoreva Jehovha
  22958. Hag 1:1 Mugore rechipiri raDhariyasi mambo, mumwedzi wechitanhatu, muzuva rekutanga remwedzi, rakasvika shoko raJehovha neruoko rwemuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nekuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, richiti:
  22959. Hag 1:2 Anotaura seizvi Jehovha wehondo achiti: Vanhu ava vanoti: Nguva haina kusvika, nguva imba yaJehovha yaichavakwa.
  22960. Hag 1:3 Ipapo shoko raJehovha rakasvika neruoko rwaHagai muporofita, richiti:
  22961. Hag 1:4 Inguva yenyu here, imwi, kuti mugare mudzimba dzenyu dzakafukidzwa mukati nemapuranga, asi imba ino idongo?
  22962. Hag 1:5 Naizvozvo ikozvino, anoreva seizvi Jehovha wehondo: Isai moyo wenyu panzira dzenyu.
  22963. Hag 1:6 Makadzvara zvakawanda, asi makapinza zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munozvipfekedza, asi hakuna anodziyirwa; uye anotambira muhoro anotambirira muhoro muchikwama chakabooka.
  22964. Hag 1:7 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Isai moyo wenyu panzira dzenyu.
  22965. Hag 1:8 Kwirai kugomo, mugounza matanda, mugovaka imba, zvino ndichaifarira, uye ndichakudzwa, anoreva Jehovha.
  22966. Hag 1:9 Manga makatarisira zvizhinji, asi tarirai, zvishoma; uye pamakaunza kumba, neni ndakazvifuridza. Nemhaka yei? anoreva Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu yava dongo, zvakadaro imwi munomhanyira umwe neumwe kuimba yake.
  22967. Hag 1:10 Naizvozvo matenga pamusoro penyu anonyima kuti kusava nedova; nevhu rinonyima zvibereko zvaro.
  22968. Hag 1:11 Zvino ndakadana kuoma pamusoro penyika, nepamusoro pemakomo, nepamusoro pezviyo, nepamusoro pewaini itsva, nepamusoro pemafuta, nepamusoro peicho ivhu charinobudisa, nepamusoro pevanhu, nepamusoro pemombe, nepamusoro pebasa rose remaoko.
  22969. Hag 1:12 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru, nevakasara vose vevanhu, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, nemashoko aHagai muporofita, Jehovha Mwari wavo sezvaaiva amutuma; vanhu ndokutya pamberi paJehovha.
  22970. Hag 1:13 Zvino wakataura Hagai mutumwa waJehovha neshoko raJehovha kuvanhu achiti: Ndinemwi, anoreva Jehovha.
  22971. Hag 1:14 Jehovha ndokumutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nemweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nemweya wevakasara vose vevanhu; zvino vakauya ndokuita basa muimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
  22972. Hag 1:15 pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wechitanhatu, pagore rechipiri raDhariyasi mambo.
  22973. Hag 2:1 Mumwedzi wechinomwe, neremakumi maviri nerimwe remwedzi, kwakasvika shoko raJehovha neruoko rwaHagai muporofita, richiti:
  22974. Hag 2:2 Taura ikozvino kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nekuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nekuvakasara vevanhu, uchiti:
  22975. Hag 2:3 Ndiani wakasara pakati penyu wakamboona imba ino pakubwinya kwayo kwekutanga? Zvino munoiona sei ikozvino? Haina kuita sechinhu pasina here pameso enyu kana ichienzaniswa nayo?
  22976. Hag 2:4 Asi ikozvino, simba, iwe Zerubhabheri, anoreva Jehovha; simba, newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru; simbaiwo imwi mose vanhu vepanyika, anoreva Jehovha, mubate; nokuti ndinemwi, anoreva Jehovha wehondo.
  22977. Hag 2:5 Neshoko randakasungana nemwi pamakabuda kubva muEgipita, uye Mweya wangu unomira pakati penyu: Musatya.
  22978. Hag 2:6 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kuchiri kamwe chete, chinguvana, zvino ndichazungunusa matenga, nenyika, negungwa, nepakaoma.
  22979. Hag 2:7 Zvino ndichazungunusa marudzi ose, uye chishuwo chemarudzi ose chichasvika, uye ndichazadza imba iyi nekubwinya, anoreva Jehovha wehondo.
  22980. Hag 2:8 Sirivha ndeyangu, negoridhe nderangu, anoreva Jehovha wehondo.
  22981. Hag 2:9 Kubwinya kweimba iyi yekupedzisira kuchava kukuru pane kweyekutanga, anoreva Jehovha wehondo; uye panzvimbo ino ndichapa rugare, anoreva Jehovha wehondo.
  22982. Hag 2:10 Pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariyasi, rakasvika shoko raJehovha neruoko rwaHagai muporofita, richiti:
  22983. Hag 2:11 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Bvunza ikozvino vapristi zvemurairo, uti:
  22984. Hag 2:12 Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva chingwa nemupendero wake, kana zvekudya zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana chekudya chipi nechipi, zvichava zvitsvene here? Vapristi ndokupindura ndokuti: Kwete.
  22985. Hag 2:13 Zvino Hagai wakati: Kana asina kuchena nechitunha akagunzva chipi cheizvi, chichava chisina kuchena here? Vapristi ndokupindura ndokuti: Chichava chisina kuchena.
  22986. Hag 2:14 Ipapo Hagai wakapindura ndokuti: Ndizvo zvakaita vanhu ava, uye ndizvo zvakaita rudzi urwu pamberi pangu, anoreva Jehovha; saizvozvowo basa rimwe nerimwe remaoko avo; nechavanopa ipapo hachina kuchena.
  22987. Hag 2:15 Zvino ikozvino, isai henyu moyo yenyu kubva pazuva rino zvichikwira, kubva ibwe risati raiswa pamusoro peibwe mutembere yaJehovha.
  22988. Hag 2:16 Kubva apo munhu achienda kumurwi wezviyero makumi maviri, paiva negumi; achienda kuchisviniro chewaini kunochera hari makumi mashanu pachisviniro, paiva nemakumi maviri.
  22989. Hag 2:17 Ndakakurovai nenyunje uye nekuvhuvha uye nechimvuramabwe, mabasa ose emaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri, anoreva Jehovha.
  22990. Hag 2:18 Isai henyu moyo wenyu, kubva pazuva rino zvichikwira, kubva pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wepfumbamwe, ipo kubva pazuva nheyo dzetembere yaJehovha dzichiiswa, muise moyo wenyu.
  22991. Hag 2:19 Mbeu ichiri mudura here? Hongu, muzambiringa, nemuonde, nemupomegiranati, nemuorivhi, hazvisati zvabereka; kubva pazuva iri ndichakuropafadzai.
  22992. Hag 2:20 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai muzuva remakumi maviri nemana remwedzi, richiti:
  22993. Hag 2:21 Taura kuna Zerubhabheri, mubati waJudha, uchiti: Ndichazunungusa matenga nenyika.
  22994. Hag 2:22 Uye ndichapidigura chigaro cheushe cheumambo uzhinji, uye ndichaparadza simba reumambo uzhinji hwevahedheni, uye ndichapidigura dzingoro, nevanotasva madziri; uye mabhiza nevatasvi vawo vachaburuka, umwe neumwe nemunondo wehama yake.
  22995. Hag 2:23 Nezuva iro, anoreva Jehovha wehondo, ndichakutora, iwe Zerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, muranda wangu, anoreva Jehovha, uye ndichakuita sechidhindo; nokuti ndakakusarudza, anoreva Jehovha wehondo
  22996. Zec 1:1 Mumwedzi werusere, mugore rechipiri raDhariyasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekiya, mwanakomana wemuporofita Idho, richiti:
  22997. Zec 1:2 Jehovha wakatsamwira madzibaba enyu zvekutsamwa.
  22998. Zec 1:3 Naizvozvo uti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Dzokerai kwandiri, anoreva Jehovha wehondo, neni ndichadzokera kwamuri, anoreva Jehovha wehondo.
  22999. Zec 1:4 Regai kuva semadzibaba enyu, vaporofita vekutanga vakadanidzira kwavari, vachiti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Dzokai henyu panzira dzenyu dzakaipa nezviito zvenyu zvakaipa. Asi havana kunzwa, uye havana kuteerera kwandiri, anoreva Jehovha.
  23000. Zec 1:5 Madzibaba enyu aripi? Nevaporofita, vanorarama nekusingaperi here?
  23001. Zec 1:6 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Zvino vakatendeuka vakati: Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvinoenderana nenzira dzedu uye zvinoenderana nezviito zvedu, saizvozvo wakaita kwatiri.
  23002. Zec 1:7 Pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wegumi neumwe, uri mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariyasi, rakasvika shoko raJehovha kuna Zekariya, mwanakomana waBherekiya, mwanakomana wemuporofita Idho, richiti:
  23003. Zec 1:8 Ndakaona usiku, zvino tarira, murume wakatasva pabhiza dzvuku, zvino wakamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumukaha; uye shure kwake kune mabhiza matsvuku, akatsvukuruka, nemachena.
  23004. Zec 1:9 Zvino ndakati: Ishe wangu, zvii izvi? Mutumwa waitaura neni ndokuti kwandiri: Ini ndichakuratidza kuti zvii izvi.
  23005. Zec 1:10 Zvino munhu waiva amire pakati pemiti yemimirite wakapindura ndokuti: Ava ndivo Jehovha vaakatuma kufamba kuenda uko neuko panyika.
  23006. Zec 1:11 Zvino vakapindura mutumwa waJehovha waiva amire pakati pemiti yemimirite, ndokuti: Takafamba kuenda uko neuko panyika, zvino tarira, nyika yose igere murunyararo.
  23007. Zec 1:12 Zvino mutumwa waJehovha wakapindura ndokuti: Jehovha wehondo, kusvika rinhi imwi musinganzwiri ngoni Jerusarema nemaguta aJudha, amakatsamwira makore awa makumi manomwe?
  23008. Zec 1:13 Zvino Jehovha wakapindura mutumwa waiva achitaura neni nemashoko akanaka, mashoko anonyaradza.
  23009. Zec 1:14 Saizvozvo mutumwa waitaura neni wakati kwandiri: Danidzira uti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ndine godo neJerusarema uye neZiyoni, godo guru.
  23010. Zec 1:15 Uye nekutsamwa kukuru ndakatsamwira vechirudzi vakatambarara; nokuti ini ndaiva ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakabatsira kuti kuve nekuipa.
  23011. Zec 1:16 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Ndinodzokera kuJerusarema nengoni zhinji; imba yangu ichavakwa mariri, anoreva Jehovha wehondo; uye rwonzi rwekuyera rwuchatambanudzirwa pamusoro peJerusarema.
  23012. Zec 1:17 Danidzirazve, uti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Maguta angu achapfachukirazve nezvakanaka; uye Jehovha achangonyaradzazve Ziyoni, uye achasarudzazve Jerusarema.
  23013. Zec 1:18 Zvino ndakasimudza meso angu ndokuona, zvino tarira, nyanga ina.
  23014. Zec 1:19 Zvino ndakati kumutumwa waitaura neni: Zvii izvi? Iye ndokuti kwandiri: Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri, neJerusarema.
  23015. Zec 1:20 Zvino Jehovha wakandiratidza mhizha ina.
  23016. Zec 1:21 Zvino ndakati: Ava vauya kuzoitei? Iye ndokutaura achiti: Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, zvekuti hakuna munhu anosimudza musoro wake; asi idzi dzauya kudzityityidzira, kurasa nyanga dzevechirudzi, vakasimudza runyanga pamusoro penyika yaJudha kuiparadzira.
  23017. Zec 2:1 Ndakasimudza meso angu zvekare, ndokuona, zvino tarira, munhu, ane rwonzi rwekuyera muruoko rwake.
  23018. Zec 2:2 Zvino ndakati: Unoenda kupi? Iye ndokuti kwandiri: Kunoyera Jerusarema, kuona kuti kufara kwaro chii, uye urefu hwaro chii.
  23019. Zec 2:3 Zvino tarira, mutumwa waitaura neni wakabuda; umwe mutumwa ndokubuda kumuchingamidza.
  23020. Zec 2:4 Zvino wakati kwaari: Mhanya, taura kujaya iri uchiti: Jerusarema richagarwa semaguta asina masvingo nekuda kweuwandu hwevanhu nezvipfuwo zviri mariri.
  23021. Zec 2:5 Nokuti ini, anoreva Jehovha, ndichava kwariri rusvingo rwemoto kukomberedza; uye ndichava kubwinya mukati maro.
  23022. Zec 2:6 Haiwa, haiwa! Zvino tizai mubve munyika yekumaodzanyemba, anoreva Jehovha, nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzekumatenga, anoreva Jehovha.
  23023. Zec 2:7 Haiwa! Ziyoni, pukunyuka, iwe ugere nemukunda weBhabhironi.
  23024. Zec 2:8 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Shure kwekubwinya wakandituma kumarudzi akakupambai; nokuti anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rake.
  23025. Zec 2:9 Nokuti tarirai, ndichazunza ruoko rwangu pamusoro pavo; uye vachava chinhu chakapambiwa kuvaranda vavo; zvino muchaziva kuti Jehovha wehondo wakandituma.
  23026. Zec 2:10 Imba uye ufare, iwe mukunda weZiyoni; nokuti tarira, ndinouya, uye ndichagara mukati mako, anoreva Jehovha.
  23027. Zec 2:11 Zvino marudzi mazhinji achabatanidzwa kuna Jehovha pazuva iro; uye achava vanhu vangu; uye ndichagara mukati mako; uye uchaziva kuti Jehovha wehondo wakandituma kwamuri.
  23028. Zec 2:12 Zvino Jehovha achagara nhaka yaJudha, mugove wake panyika tsvene, uye achasarudzazve Jerusarema.
  23029. Zec 2:13 Nyarara, nyama yose, pamberi paJehovha; nokuti wamutswa kubva paugaro hwake utsvene.
  23030. Zec 3:1 Zvino wakandiratidza Joshua mupristi mukuru, amire pamberi pemutumwa waJehovha, naSatani amire paruoko rwake rwerudyi, kupokana naye.
  23031. Zec 3:2 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Jehovha ngaakutsiure, iwe Satani; zvirokwazvo Jehovha ngaakutsiure, iye wakasarudza Jerusarema. Ichi hachisi chitsiga chakabvutwa pamoto here?
  23032. Zec 3:3 Zvino Joshua waiva akapfeka nguvo dzine tsvina, uye amire pamberi pemutumwa.
  23033. Zec 3:4 Zvino wakapindura ndokutaura kune vaiva vakamira pamberi pake achiti: Bvisai nguvo dzine tsvina kubva paari. Zvino akati kwaari: Ona, ndapfuudza uipi hwako kubva kwauri, uye ndichakufukidza nguvo refu dzemutambo.
  23034. Zec 3:5 Zvino ndakati: Ngavaise nguwani yakachena pamusoro wake. Ipapo vakaisa nguwani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo zhinji. Zvino mutumwa waJehovha waiva amirepo.
  23035. Zec 3:6 Zvino mutumwa waJehovha wakapupura kuna Joshua achiti:
  23036. Zec 3:7 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kana ukafamba munzira dzangu, uye kana ukachengeta murairo wangu, ipapo iwe uchatongawo imba yangu, uye uchachengetawo zvivanze zvangu; uye ndichakupa nzvimbo dzekufamba pakati peava vamirepo.
  23037. Zec 3:8 Inzwa hako, Joshua mupristi mukuru, iwe nevafambidzani vako vagere pamberi pako, nokuti vanhu vechiratidzo; nokuti tarira, ndinouisa muranda wangu, Bukira.
  23038. Zec 3:9 Nokuti tarira, ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pamusoro peibwe rimwe pachava nemaziso manomwe. Tarira, ndichafombora runyoro rwaro, anoreva Jehovha wehondo, uye ndichabvisa uipi hwenyika iyo muzuva rimwe.
  23039. Zec 3:10 Muzuva iro, anoreva Jehovha wehondo, muchadanira umwe neumwe shamwari yake pasi pemuzambiringa nepasi pemuonde.
  23040. Zec 4:1 Zvino mutumwa waitaura neni wakauya zvekare, ndokundimutsa semunhu anomutswa kubva muhope dzake.
  23041. Zec 4:2 Zvino wakati kwandiri: Unoonei? Ini ndokuti: Ndaona, zvino tarira, chigadziko chemwenje chegoridhe rose, nendiro pamusoro pemusoro wacho, nemwenje yacho minomwe pachiri; pombi nomwe nenomwe dziri pamwenje iri pamusoro pemusoro wacho.
  23042. Zec 4:3 Nemiti yemiorivhi miviri parutivi rwacho, umwe kurudyi rwendiro, neumwe kuruboshwe rwayo.
  23043. Zec 4:4 Zvino ndakapindura ndokutaura kumutumwa waitaura neni ndichiti: Izvi zvii, ishe wangu?
  23044. Zec 4:5 Zvino mutumwa waitaura neni wakapindura ndokuti kwandiri: Hauzivi kuti izvi zvii here? Ini ndokuti: Kwete, ishe wangu.
  23045. Zec 4:6 Zvino wakapindura ndokutaura kwandiri achiti: Iri ishoko raJehovha kuna Zerubhabheri, richiti: Kwete nechisimba, uye kwete nesimba, asi neMweya wangu, anoreva Jehovha wehondo.
  23046. Zec 4:7 Ndiwe ani, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchava bani. Iye achabudisa ibwe riri musoro nekudanidzira kukuru: Nyasha, nyasha kwariri.
  23047. Zec 4:8 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:
  23048. Zec 4:9 Maoko aZerubhabheri akateya nheyo yeimba ino, uye maoko ake achaipedzisa. Zvino uchaziva kuti Jehovha wehondo wakandituma kwamuri.
  23049. Zec 4:10 Nokuti ndiani akazvidza zuva rezvinhu zvidiki? Nokuti vachafara uye vachaona ibwe remhangura muruoko rwaZerubhabheri; awa manomwe ndiwo meso aJehovha, anoenda uko neuko panyika yose.
  23050. Zec 4:11 Zvino ndakapindura ndokuti kwaari: Miorivhi iyi miviri kurudyi rwechigadziko chemwenje nekuruboshwe rwacho chii?
  23051. Zec 4:12 Zvino ndakapindura rwechipiri ndokuti kwaari: Matavi awa maviri emiorivhi anodira goridhe kubva maari nepombi mbiri dzegoridhe chii?
  23052. Zec 4:13 Zvino wakataura kwandiri achiti: Hauzivi here kuti awa chii? Ini ndokuti: Kwete, ishe wangu.
  23053. Zec 4:14 Zvino wakati: Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire panaIshe wenyika yose.
  23054. Zec 5:1 Zvino ndakadzoka, ndokusimudza meso angu, ndokuona, zvino tarira, rugwaro rwakapetwa rwuchibhururuka.
  23055. Zec 5:2 Zvino wakati kwandiri: Unoonei? Ini ndokuti: Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwunobhururuka; urefu hwarwo makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwarwo makubhiti gumi.
  23056. Zec 5:3 Zvino wakati kwandiri: Uku kutukwa kunobuda pachiso chepanyika yose. Nokuti umwe neumwe anoba achagurwa kurutivi runo zvichienderana nako; uye umwe neumwe anopika achagurwa kurutivi urwo zvichienderana nako.
  23057. Zec 5:4 Ndichakubudisa, anoreva Jehovha wehondo, uye kuchapinda muimba yembavha nemuimba yeanopika nhema nezita rangu, kugogara mukati meimba yake, uye kuchaipedza pamwe nematanda ayo nemabwe ayo.
  23058. Zec 5:5 Zvino mutumwa waitaura neni wakabuda, ndokuti kwandiri: Simudza meso ako ikozvino, ugoona kuti chii ichi chinobuda.
  23059. Zec 5:6 Zvino ndakati: Chii? Iye ndokuti: Iyi iefa inobuda. Akatizve: Ichi chimiro chavo panyika yose.
  23060. Zec 5:7 Zvino tarira, kwakasimudzwa chivharo chemutobvu; uye uyu waiva mukadzi waiva agere mukati meefa.
  23061. Zec 5:8 Zvino wakati: Uyu ndiye zvakaipa. Ndokumuwisira mukati meefa, ndokuwisira uremu hwemutobvu mumuromo wayo.
  23062. Zec 5:9 Zvino ndakasimudza meso angu ndokuona, zvino tarira, vakadzi vaviri vanobuda, nemhepo mumapapiro avo, uye vane mapapiro semapapiro ezimudo; zvino vakasimudzira efa pakati penyika nematenga.
  23063. Zec 5:10 Zvino ndakati kumutumwa waitaura neni: Ava vanotakurirepi efa?
  23064. Zec 5:11 Iye ndokuti kwandiri: Kunoivakira imba munyika yeShinari; uye ichamiswa ndokuiswapo pamusoro penheyo yake.
  23065. Zec 6:1 Zvino ndakadzoka ndokusimudza meso angu, ndokuona, zvino tarira, ngoro ina dzinobuda kubva pakati pemakomo maviri; uye makomo aiva makomo endarira.
  23066. Zec 6:2 Pangoro yekutanga paiva nemabhiza matsvuku, uye pangoro yechipiri mabhiza matema,
  23067. Zec 6:3 nepangoro yechitatu mabhiza machena, nepangoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.
  23068. Zec 6:4 Zvino ndakapindura ndokuti kumutumwa waitaura neni: Izvi zvii, ishe wangu?
  23069. Zec 6:5 Mutumwa ndokupindura ndokuti kwandiri: Iyi mweya mina yekumatenga inobuda kubva pakumira pamberi paIshe wenyika yose.
  23070. Zec 6:6 Mabhiza matema arimo anobuda achienda kunyika yekumaodzanyemba; uye machena anobuda kuatevera; nemapfumbu anobuda achienda kunyika yekuchamhembe.
  23071. Zec 6:7 Ane simba akabudawo ndokutsvaka kufamba kuenda uko neuko panyika. Iye ndokuti: Fambai muende uko neuko panyika. Zvino akaenda uko neuko panyika.
  23072. Zec 6:8 Zvino wakandidana ndokutaura kwandiri achiti: Ona, awa anobuda kuenda kunyika yekumaodzanyemba akazorodza mweya wangu panyika yekumaodzanyemba.
  23073. Zec 6:9 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
  23074. Zec 6:10 Tora kune vakatapwa, kuna Heridhai, nekuna Tobhiya, nekuna Jedhaia, vakabva kuBhabhironi, uuye iwe nezuva iroro, zvino uende muimba yaJosiya mwanakomana waZefaniya.
  23075. Zec 6:11 Uye utore sirivha negoridhe, ugoita korona zhinji, ugoisa pamusoro waJoshua, mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru.
  23076. Zec 6:12 Zvino utaure kwaari uchiti: Anotaura seizvi Jehovha wehondo achiti: Tarira, munhu ane zita rinonzi Bukira, iye achabukira kubva panzvimbo yake, uye achavaka tembere yaJehovha.
  23077. Zec 6:13 Iyewo achavaka tembere yaJehovha; iyewo achatakura umambo, uye achagara atonge pamusoro pechigaro chake cheumambo; uye achava mupristi pamusoro pechigaro chake cheumambo; uye zano rerugare richava pakati pavo vari vaviri.
  23078. Zec 6:14 Zvino korona dzichava kuna Heremi, nekuna Tobhiya, nekuna Jedhaia, nekuna Heni, mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutembere yaJehovha.
  23079. Zec 6:15 Vari kure vachauya vachivaka mutembere yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo wakanditumira kwamuri. Izvi zvichaitika kana muchiteerera zvekuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.
  23080. Zec 7:1 Zvino zvakaitika mugore rechina ramambo Dhariyasi; shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, nerechina remwedzi wepfumbamwe, muna Kisirevhi.
  23081. Zec 7:2 Pavaiva vatuma kuimba yaMwari Sharezeri, naRegemi-Mereki, nevarume vake, kunokumbira chiso chaJehovha,
  23082. Zec 7:3 kutaura kuvapristi vaiva muimba yaJehovha wehondo nekuvaporofita, vachiti: Ndicheme misodzi here mumwedzi weshanu, ndizvitsaure, sezvandakaita makore awa akawanda kudai?
  23083. Zec 7:4 Zvino rakasvika shoko raJehovha wehondo kwandiri, richiti:
  23084. Zec 7:5 Taura kuvanhu vose vepanyika, nekuvapristi, uchiti: Pamakatsanya nekurira mumwedzi weshanu nemune wechinomwe, kunyange makore awo makumi manomwe, makatombotsanyira ini, iyeni here?
  23085. Zec 7:6 Uye pamakadya, uye pamakanwa, hamusi imwi makadya uye imwi makanwa here?
  23086. Zec 7:7 Haasi iwo mashoko Jehovha aakadanidzira neruoko rwevaporofita vekare here, Jerusarema paraigarwa uye rakatambarara, nemaguta aro akarikomberedza, richigarwa kuchamhembe nekumapani?
  23087. Zec 7:8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti:
  23088. Zec 7:9 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, achiti: Tongai mutongo wechokwadi, uye muite unyoro nengoni, umwe neumwe kuhama yake.
  23089. Zec 7:10 Zvino musamanikidza chirikadzi, nenherera, mutorwa, nemurombo; uye musafungira zvakaipa mumoyo menyu, umwe neumwe kuhama yake.
  23090. Zec 7:11 Asi vakaramba kuteerera, vakapa fudzi rinoramba kuteerera, uye vakaremedza nzeve dzavo kuti varege kunzwa.
  23091. Zec 7:12 Hongu, vakaita moyo yavo seibwe rakaoma, kuti varege kunzwa murairo, nemashoko Jehovha wehondo aakatumira neMweya wake neruoko rwevaporofita vekare; naizvozvo kwakauya kutsamwa kukuru kubva kuna Jehovha wehondo.
  23092. Zec 7:13 Naizvozvo zvakaitika paaidanidzira, asi havana kunzwa, saizvozvo vanodanidzira, asi handinganzwi, anoreva Jehovha wehondo.
  23093. Zec 7:14 Asi ndakavaparadzira nechamupupuri kumarudzi ose avaiva vasingazivi. Saizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, zvekuti hakuna munhu wakapfuura uye hakuna wakadzoka. Nokuti vakaita nyika inofadza dongo.
  23094. Zec 8:1 Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika richiti:
  23095. Zec 8:2 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ndaiva negodo neZiyoni negodo guru, uye ndaiva negodo naro nekupfuta kukuru.
  23096. Zec 8:3 Anoreva seizvi Jehovha: Ndadzoka paZiyoni, uye ndagara mukati meJerusarema; uye Jerusarema richanzi guta rechokwadi, uye gomo raJehovha wehondo, gomo dzvene.
  23097. Zec 8:4 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kuchagarazve vatana nechembere munzira dzemumusha dzeJerusarema; uye umwe neumwe ane mudonzvo wake muruoko rwake neuwandu hwemazuva.
  23098. Zec 8:5 Zvino nzira dzemumusha dzeguta dzichazadzwa nevakomana nevasikana vachitamba munzira dzaro dzemumusha.
  23099. Zec 8:6 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kana zvichishamisa pameso evakasara vevanhu ava mumazuva awa, zvichashamisawo here pameso angu? anoreva Jehovha wehondo.
  23100. Zec 8:7 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu panyika yekumabvazuva, nepanyika yekumavirazuva.
  23101. Zec 8:8 Uye ndichavaunza, vagogara mukati meJerusarema; zvino vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo, muchokwadi nemukururama.
  23102. Zec 8:9 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Maoko enyu ngaasimbe, imwi munonzwa mumazuva ano mashoko awa anobva mumuromo wevaporofita, vaivapo pazuva nheyo yeimba yaJehovha wehondo ichiiswa, kuti tembere ivakwe.
  23103. Zec 8:10 Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwaiva kusina muhoro wemunhu, hongu kwaiva kusina muhoro wemhuka; uye kune aibuda, nekune waipinda, kwaiva kusina rugare nekuda kwemudzivisi. Zvino ndakatuma munhu wose umwe neumwe kurwisa wekwake.
  23104. Zec 8:11 Asi ikozvino handichazovi kune vakasara vevanhu ava sepamazuva ekare, anoreva Jehovha wehondo.
  23105. Zec 8:12 Nokuti mbeu ichabudirira, muzambiringa uchabereka chibereko chawo, uye ivhu richabereka zvibereko zvaro, uye matenga achapa dova rawo; zvino ndichagarisa vakasara vevanhu ava nhaka yezvinhu izvi zvose.
  23106. Zec 8:13 Zvino zvichaitika, sezvamaiva chakatukwa pakati pevechirudzi, imwi imba yaJudha, neimba yaIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, uye muchava ropafadzo; musatya, maoko enyu ngaasimbe.
  23107. Zec 8:14 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, madzibaba enyu paakanditsamwisa, anoreva Jehovha wehondo, zvino handina kuzvidemba;
  23108. Zec 8:15 saizvozvozve, ndakadzoka ndofunga pamazuva ano kuitira Jerusarema zvakanaka, uye kuitira imba yaJudha; musatya.
  23109. Zec 8:16 Izvi zvinhu zvamuchaita: Taurai chokwadi, umwe neumwe kune wekwake; tongai pamasuwo enyu chokwadi nemutongo werugare.
  23110. Zec 8:17 Zvino ngakusava neumwe anofungira wekwake zvakaipa mumoyo menyu; uye musada mhiko yenhema; nokuti zvose zvinhu izvi ndinovenga, anoreva Jehovha.
  23111. Zec 8:18 Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri richiti:
  23112. Zec 8:19 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kutsanya kwemwedzi wechina, nekutsanya kweweshanu, nekutsanya kwewechinomwe, nekutsanya kwewegumi, zvichava mufaro nekufarisisa kuimba yaJudha, nemabiko akanaka; naizvozvo idai chokwadi nerugare.
  23113. Zec 8:20 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kuchasvikazve marudzi nevagari vemaguta mazhinji.
  23114. Zec 8:21 Zvino vagari veguta rimwe vachaenda kune rimwe vachiti: Ngatiendei nekukurumidza kunonyengetera pamberi paJehovha, nekutsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaenda.
  23115. Zec 8:22 Hongu, kuchauya vanhu vazhinji nemarudzi ane simba kutsvaka Jehovha wehondo paJerusarema, nekunyengetera pamberi paJehovha.
  23116. Zec 8:23 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Mumazuva iwawo, varume gumi vanobva kundimi dzose dzemarudzi vachabata, hongu, vachabata mupendero wenguvo yemunhu muJudha, vachiti: Tichaenda nemwi, nokuti tanzwa kuti Mwari anemwi.
  23117. Zec 9:1 Mutoro weshoko raJehovha panyika yeHadhiraki, neDhamasiko, zororo rake; nokuti ziso remunhu neremarudzi ose aIsraeri riri kuna Jehovha.
  23118. Zec 9:2 NeHamatiwo richaganhurana naro, Tire, neSidhoni, kunyange rakachenjera zvikuru.
  23119. Zec 9:3 Zvino Tire rakazvivakira nhare, uye rakaunganidza sirivha seguruva, negoridhe rakaisvonaka sematope emunzira dzemumusha.
  23120. Zec 9:4 Tarirai, Ishe acharidzinga, uye acharovera simba raro mugungwa; uye iro richadyiwa nemoto.
  23121. Zec 9:5 Ashikeroni richaona, ndokutya; neGaza, rigoshungurudzika zvikuru; neEkironi; nokuti zvarakatarisira zvichanyadziswa; uye mambo achaparara kubva kuGaza, uye Ashikeroni haringagarwi.
  23122. Zec 9:6 Zvino wakazvarwa neufeve achagara muAshidhodhi, uye ndichagura kuzvikudza kwevaFirisitia.
  23123. Zec 9:7 Zvino ndichabvisa ropa rake kubva mumuromo make, nezvinyangadzo zvake kubva pakati pemazino ake; asi anosara ndiye achava waMwari wedu, achava semuchinda kwaJudha, uye Ekironi semuJebhusi.
  23124. Zec 9:8 Zvino ndichadzika musasa paimba yangu nekuda kwehondo, nekuda kweanopfuura uye nekuda kweanodzoka, uye hakuna mumanikidzi achapfuura nemavarizve, nokuti ikozvino ndaona nemeso angu.
  23125. Zec 9:9 Fara kwazvo, iwe mukunda weZiyoni; pururudza, iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako anouya kwauri; wakarurama, uye ane ruponeso, munyoro, uye wakatasva mbongoro, nemhuru, mwana wedzimbongoro hadzi.
  23126. Zec 9:10 Zvino ndichagura ngoro ibve kwaEfuremu, nebhiza paJerusarema; neuta hwehondo huchagurwa; zvino achataura rugare kune vechirudzi, uye umambo hwake huchabva pagungwa kuenda pagungwa, uye huchabva parwizi kusvika pamigumo yenyika.
  23127. Zec 9:11 Newe, neropa resungano yako ndabudisa vasungwa vako kubva mugomba risina mvura.
  23128. Zec 9:12 Dzokerai kunhare, imwi vasungwa vane tariro; iko nhasi ndinodanidzira kuti ndichadzosera kwamuri zvakapetwa kaviri.
  23129. Zec 9:13 Pandichazvikungira Judha, ndikazadza uta naEfuremu; uye ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwisane nevanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita uve semunondo wemhare.
  23130. Zec 9:14 Zvino Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; nemuseve wake uchabuda semheni; uye Ishe Jehovha acharidza hwamanda, uye achafamba nezvamupupuri zvekuchamhembe.
  23131. Zec 9:15 Jehovha wehondo achavadzitira; uye vachadya, vachawisira pasi mabwe echipfuramabwe; uye vachanwa, ndokuita ruzha sewaini; uye vachazara sendiro, semakona earitari.
  23132. Zec 9:16 Zvino Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iro seboka revanhu vake; nokuti ivo mabwe ekorona, anosimudzwa pamusoro penyika yake.
  23133. Zec 9:17 Nokuti kwakakura sei kururama kwake, uye rwakakura sei runako rwake; zviyo zvichamutsa majaya, uye waini itsva mhandara.
  23134. Zec 10:1 Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yekupedzisira; Jehovha anoita mheni zhinji; uye anovapa mvura inonaya, kune umwe neumwe chinomera mumunda.
  23135. Zec 10:2 Nokuti zvifananidzo zvinotaura zvisina maturo, uye vavuki vakaona nhema, uye vanotaura hope dzezvisina maturo, vanonyaradza zvisina maturo; naizvozvo vakafamba semakwai; vanotambudzika, nokuti hakuna mufudzi.
  23136. Zec 10:3 Kutsamwa kwangu kwakapfutira vafudzi, uye ndakaranga mbudzi, nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake rezvipfuwo, imba yaJudha, uye wakazviita sebhiza rake rakanakisisa pahondo.
  23137. Zec 10:4 Kwakabuda kwaari kona, mbambo kubva kwaari, uta hwehondo kubva kwaari, mumanikidzi umwe neumwe pamwe chete kubva kwaari.
  23138. Zec 10:5 Zvino vachava semhare, vachitsika-tsika mumatope enzira dzemumusha pahondo, uye vacharwa, nokuti Jehovha anavo, uye vachanyadzisa vatasvi vemabhiza.
  23139. Zec 10:6 Zvino ndichasimbisa imba yaJudha, uye ndichaponesa imba yaJosefa, uye ndichavagadzikazve; nokuti ndinovanzwira ngoni, uye vachava sezvinonzi handina kumbovarasa; nokuti ndiri Jehovha Mwari wavo, uye ndichavanzwa.
  23140. Zec 10:7 Zvino vaEfuremu vachava semhare; nemoyo wavo uchafara sewaini; uye vanakomana vavo vachaona, uye vachafara; moyo wavo uchafara muna Jehovha.
  23141. Zec 10:8 Ndichavaridzira muridzo, uye ndichavaunganidza, nokuti ndakavadzikinura, uye vachawedzerwa sezvavakambowedzerwa.
  23142. Zec 10:9 Zvino ndichavadzvara pakati pemarudzi, uye vachandirangarira munyika dziri kure, uye vachararama nevana vavo ndokudzoka.
  23143. Zec 10:10 Zvino ndichavadzosa kubva kunyika yeEgipita, ndigovaunganidza kubva muAsiriya. Zvino ndichavaunza munyika yeGiriyadhi neRebhanoni, asi havangawanirwi nzvimbo.
  23144. Zec 10:11 Zvino achapfuura nemugungwa nekutambudzika; uye acharova mafungu mugungwa; neudziku hwose hwerwizi huchapwa; nekuzvikudza kweAsiriya kuchaderedzwa; netsvimbo yeushe yeEgipita ichabva.
  23145. Zec 10:12 Zvino ndichavasimbisa muna Jehovha, uye vachafamba-famba muzita rangu, anoreva Jehovha.
  23146. Zec 11:1 Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.
  23147. Zec 11:2 Ungudza, iwe muti wemufiri, nokuti musidhari wawa, nokuti miti yeumambo yaparadzwa; ungudzai, imwi miouki yeBhashani, nokuti sango risingapindiki rawa.
  23148. Zec 11:3 Kune inzwi rekuungudza kwevafudzi, nokuti rukudzo rwavo rwaparadzwa; inzwi rekuomba kweshumba diki, nokuti kuzvikudza kwaJoridhani kunoparadzwa.
  23149. Zec 11:4 Anoreva seizvi Jehovha Mwari wangu: Fudza makwai ekuuraiwa;
  23150. Zec 11:5 vatengi vawo vanoauraya, vanoti havana mhosva; nevatengesi vawo vanoti: Ngaarumbidzwe Jehovha, zvino ndafuma; nevafudzi vawo havaanzwiri ngoni.
  23151. Zec 11:6 Nokuti handichazonzwirizve ngoni vagari vepanyika, anoreva Jehovha, asi tarira, ndinobudisa vanhu, umwe neumwe kupinda muruoko rwewekwake, nemuruoko rwamambo wake; zvino vachapwanya nyika, uye handinganunuri kubva muruoko rwavo.
  23152. Zec 11:7 Zvino ndichafudza makwai ekuuraiwa, hongu anosiririsa emakwai; uye ndichazvitorera tsvimbo mbiri; imwe ndichaiti Runako, uye imwe ndichaiti Zvisungo; zvino ndichafudza makwai.
  23153. Zec 11:8 Zvino ndichaparadza vafudzi vatatu mumwedzi umwe, uye mweya weupenyu wangu wakavarwadzirwa, nemweya wavo wakandisemawo.
  23154. Zec 11:9 Zvino ndakati: Handingakufudzii; anofa ngaafe, neanoparadzwa ngaaparadzwe, nevanosara ngavadye umwe neumwe nyama yeumwe.
  23155. Zec 11:10 Zvino ndakatora tsvimbo yangu, Runako, ndokuivhuna, kuti ndigure sungano yangu yandaiva ndaita nemarudzi ose.
  23156. Zec 11:11 Zvino yakagurwa muzuva iro, zvino saizvozvo anosiririsa emakwai akandimirira akaziva kuti raiva shoko raJehovha.
  23157. Zec 11:12 Zvino ndakati kwavari: Kana zvakanaka pameso enyu, ipai mubairo wangu, uye kana zvisizvo, regai. Naizvozvo vakayerera mubairo wangu makobiri makumi matatu esirivha.
  23158. Zec 11:13 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Zvikande kumuumbi; mutengo mukuru wandaiva ndaverengerwa navo! Zvino ndakatora makobiri makumi matatu esirivha ndokuakandira muimba yaJehovha kumuumbi.
  23159. Zec 11:14 Ipapo ndikavhuna tsvimbo yangu yechipiri, Zvisungo, kuti ndiputse ukama pakati paJudha naIsraeri.
  23160. Zec 11:15 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Zvitorerezve zvombo zvemufudzi benzi.
  23161. Zec 11:16 Nokuti tarira, ndichamutsa mufudzi panyika; asingazofambiri akaparadzwa; asingazotsvaki madiki; uye asingazorapi akavhunika; uye asingazofudzi amire; asi achadya nyama yeakakora, nekubvamburanya mahwanda awo.
  23162. Zec 11:17 Nhamo kumufudzi asingabatsiri, anosiya makwai! Munondo uchava pamusoro peruoko rwake nepamusoro peziso rake rekurudyi. Ruoko rwake rwuchaonyana chose, uye ziso rake rekurudyi richasvibirirwa chose.
  23163. Zec 12:1 Mutoro weshoko raJehovha pana Israeri, anoreva Jehovha, anotatamura matenga, nekuteya nheyo dzenyika, nekuumba mweya wemunhu mukati make:
  23164. Zec 12:2 Tarirai, ndichaita Jerusarema mukombe wekudzedzeresesa kumarudzi ose akapoteredza; hongu, uchava pamusoro paJudhawo pakukombwa kurwisana neJerusarema.
  23165. Zec 12:3 Zvino zvichaitika nezuva iro, ndichaita Jerusarema ibwe riri mutoro kumarudzi ose. Vose vanozviremedza naro vachaguranyiwa kwazvo; uye vanhu vose vepanyika vachaungana kurirwisa.
  23166. Zec 12:4 Muzuva iro, anoreva Jehovha, ndicharova bhiza rimwe nerimwe nekuvhunduka, nemutasvi waro nekupenga; uye paimba yaJudha ndichazarura meso angu; uye ndicharova bhiza rimwe nerimwe revanhu neupofu.
  23167. Zec 12:5 Ipapo madzishe aJudha achati mumoyo wavo: Vagari veJerusarema isimba rangu muna Jehovha wehondo Mwari wavo.
  23168. Zec 12:6 Muzuva iro ndichaita madzishe aJudha segango remoto pakati pehuni, uye sezhenje remoto pakati pezvisote. Zvino vachapedza marudzi ose akavapoteredza, kuruoko rwerudyi nekuruboshwe; uye Jerusarema richagarwazve panzvimbo yavo, muJerusarema.
  23169. Zec 12:7 Jehovha achaponesawo matende aJudha pakutanga, kuti mbiri yeimba yaDhavhidhi nembiri yevagari veJerusarema isazvikudza pana Judha.
  23170. Zec 12:8 Muzuva iro Jehovha achadzitira vagari veJerusarema; neasina simba pakati pavo muzuva iro achava saDhavhidhi; uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari, semutumwa waJehovha pamberi pavo.
  23171. Zec 12:9 Zvino zvichaitika muzuva iro, ndichatsvaka kuparadza marudzi ose anouya kurwisa Jerusarema.
  23172. Zec 12:10 Zvino ndichadurura paimba yaDhavhidhi, nepavagari veJerusarema, mweya wenyasha newemikumbiro; zvino vachatarira kwandiri ini wavakabvovora; uye vachamuchemera seanochema mwanakomana umwe oga; uye achashungurudzika seanoshungurudzikira dangwe rake.
  23173. Zec 12:11 Muzuva iro kuchava kukuru kurira muJerusarema, sekurira kwaHadhadhirimoni mumupata waMegidhoni.
  23174. Zec 12:12 Zvino nyika icharira, mhuri imwe neimwe iri yoga: Mhuri yeimba yaDhavhidhi iri yoga, nevakadzi vavo vari voga; mhuri yeimba yaNatani iri yoga, nevakadzi vavo vari voga;
  23175. Zec 12:13 mhuri yeimba yaRevhi iri yoga, nevakadzi vavo vari voga; mhuri yaShimei iri yoga, nevakadzi vavo vari voga;
  23176. Zec 12:14 mhuri dzose dzakasara, mhuri imwe neimwe iri yoga, nevakadzi vavo vari voga.
  23177. Zec 13:1 Muzuva iro kuchava nechitubu chakazarurirwa chivi netsvina kuimba yaDhavhidhi nekuvagari veJerusarema.
  23178. Zec 13:2 Zvino zvichaitika muzuva iro, anoreva Jehovha wehondo, ndichagura mazita ezvifananidzo kubva munyika, uye hazvingazorangarirwizve; hongu ndichapfuudzawo vaporofita nemweya yakaipa kubva panyika.
  23179. Zec 13:3 Zvino zvichaitika, kana munhu akaporofitazve, ipapo baba vake namai vake vakamubereka vachati kwaari: Haungararami, nokuti unotaura nhema muzita raJehovha. Uye baba vake namai vake vakamubereka vachamubvovora paachaporofita.
  23180. Zec 13:4 Zvino zvichaitika, muzuva iro, vaporofita vachanyadziswa, umwe neumwe nechiratidzo chake, pakuporofita kwake; uye havangapfeki nguvo yemvere kunyengera.
  23181. Zec 13:5 Asi achati: Handisi muporofita; ndiri murimi wevhu; nokuti munhu wakanditenga kubva paudiki hwangu.
  23182. Zec 13:6 Zvino umwe achati kwaari: Mavanga awa chii ari pazvanza zvako? Iye achati: Ndiwo andakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.
  23183. Zec 13:7 Munondo, muka urwise mufudzi wangu, uye urwise munhu ari shamwari yangu, anoreva Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; uye ndichatendeusira ruoko rwangu pamusoro pemadiki.
  23184. Zec 13:8 Zvino zvichaitika panyika yose, anoreva Jehovha, zvikamu zviviri zviripo zvichagurwa zvipere, uye chikamu chetatu chichasiiwapo.
  23185. Zec 13:9 Zvino ndichapinza chikamu chetatu nemumoto, ndigovanatsa sekunatswa kwesirivha, nekuvaidza sekuidzwa kwegoridhe. Ivo vachadana zita rangu, neni ndichavapindura. Ndichati: Vanhu vangu; ivowo vachati: Jehovha ndiMwari wangu.
  23186. Zec 14:1 Tarira, zuva raJehovha rinosvika, nezvakapambiwa zvako zvichagoverwa pakati pako.
  23187. Zec 14:2 Zvino ndichaunganidza marudzi ose kurwisa Jerusarema pahondo; uye guta richatorwa, nedzimba dzichapambiwa, nevakadzi vachabhinyiwa, uye hafu yeguta ichabudira kuutapwa, asi vakasara vevanhu havangagurwi kubva muguta.
  23188. Zec 14:3 Ipapo Jehovha achabuda, ndokurwa nemarudzi awo, sepazuva rekurwa kwake pazuva rehondo.
  23189. Zec 14:4 Zvino muzuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusarema kumabvazuva; negomo reMiorivhi richapamuka pakati paro kumabvazuva nekumavirira, uve mupata mukuru kwazvo; uye hafu yegomo ichatsedukira kumaodzanyemba, uye hafu yaro kuchamhembe.
  23190. Zec 14:5 Zvino muchatizira kumupata wemakomo, nokuti mupata wemakomo uchasvika paAzeri; hongu, muchatiza, sepamakatiza kubva pamberi pekudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha. Zvino Jehovha Mwari wangu achauya, nevatsvene vose vanewe.
  23191. Zec 14:6 Zvino zvichaitika nezuva iro, chiedza hachingacheni kana kusviba.
  23192. Zec 14:7 Asi richava zuva rimwe, richazikanwa naJehovha; haangavi masikati, uye hahungavi usiku; asi zvichaitika, panguva yemadekwani pachava nechiedza.
  23193. Zec 14:8 Zvino zvichaitika muzuva iro, mvura mhenyu zhinji ichabuda kubva muJerusarema; hafu yayo kuenda kugungwa rekumabvazuva, uye hafu yayo kuenda kugungwa rekumavirazuva; zvichavapo pazhizha nepachando.
  23194. Zec 14:9 Zvino Jehovha achava mambo pamusoro penyika yose; muzuva iro kuchava naJehovha umwe chete, uye zita rake richava rimwe chete.
  23195. Zec 14:10 Nyika yose ichashandurwa kuva sebani, kubva paGebha kusvika paRimoni kuchamhembe kweJerusarema; uye ichakwiridzwa nekugara panzvimbo yayo, kubva pasuwo raBhenjamini kusvika kunzvimbo yesuwo rekutanga kusvika kusuwo rekona, uye kubva pashongwe yeHananeri kusvika kuzvisviniro zvewaini zvamambo.
  23196. Zec 14:11 Zvino vachagaramo, uye hakuchazovizve nekuparara, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka.
  23197. Zec 14:12 Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro marudzi ose akarwa neJerusarema: Achaodza nyama yavo vamire netsoka dzavo, nemeso avo achaorera mumakomba awo, nerurimi rwavo rwuchaorera mumuromo mavo.
  23198. Zec 14:13 Zvino zvichaitika, muzuva iro, nyonga-nyonga huru yaJehovha ichava pakati pavo; uye vachabatana umwe neumwe ruoko rwewekwake, uye ruoko rwake rwuchamukira ruoko rwewekwake.
  23199. Zec 14:14 NaJudha acharwawo paJerusarema; uye fuma yevechirudzi vose vakapoteredza ichaunganidzwa, goridhe, nesirivha, nenguvo, uwandu ukuru.
  23200. Zec 14:15 Zvino richadaro denda rebhiza, rehesera, rekamera, nerembongoro, neremhuka dzose dzichava mumisasa iyi, sedenda iri.
  23201. Zec 14:16 Zvino zvichaitika, umwe neumwe wakasiiwa pamarudzi ose, aiva auya kurwisa Jerusarema, vachakwira gore negore kunoshumira Mambo, Jehovha wehondo, nekuchengetedza mutambo wematumba.
  23202. Zec 14:17 Zvino zvichadai, kuti uyo asina kukwira kuJerusarema achibva pamhuri dzepanyika kunonamata Mambo, Jehovha wehondo, pamusoro pavo hapangavi nemvura.
  23203. Zec 14:18 Zvino kana mhuri yeEgipita ikasakwira, uye ikasapinda, ipapo pavari hapangavi nemvura, pachava nedenda, Jehovha raacharova naro marudzi asingakwiri kunochengetedza mutambo wematumba.
  23204. Zec 14:19 Uyu ndiwo murango wechivi cheEgipita, nemurango wechivi chemarudzi ose asingakwiri kunochengetedza mutambo wematumba.
  23205. Zec 14:20 Muzuva iro pamabhera emabhiza pachava nechinyorwa: UTSVENE KUNA JEHOVHA. Nehari muimba yaJehovha dzichafanana nedzimbiya pamberi pearitari.
  23206. Zec 14:21 Hongu, hari imwe neimwe paJerusarema nepaJudha ichava tsvene kuna Jehovha wehondo; uye vose vanobaira vachauya ndokutora padziri, ndokubikira madziri; uye muzuva iro hakuchazovizve nemuKenani muimba yaJehovha wehondo
  23207. Mal 1:1 Mutoro weshoko raJehovha kuna Israeri neruoko rwaMaraki.
  23208. Mal 1:2 Ndakakudai, anoreva Jehovha. Asi makati: Makatida nei? Esau waiva asiri mukoma waJakove here? anoreva Jehovha; zvakadaro ndakada Jakove;
  23209. Mal 1:3 uye ndakavenga Esau, uye ndakaita makomo ake dongo, nenhaka yake yakava yemakava erenje.
  23210. Mal 1:4 Kunyange Edhomu akati: Takaitwa varombo, asi tichadzokera ndokuvaka matongo; anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ivo vangavaka, asi ini ndichakoromora; uye vachavati: Muganhu wezvakaipa, nevanhu Jehovha vaakatsamwira kusvika pakusingaperi.
  23211. Mal 1:5 Zvino meso enyu achaona, uye imwi muchati: Jehovha achakudzwa kubva mhiri kwemugumo waIsraeri.
  23212. Mal 1:6 Mwanakomana anokudza baba, nemuranda tenzi wake. Zvino kana ndiri baba, rukudzo rwangu rwuripi? Uye kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripi? anoreva Jehovha wehondo kwamuri, imwi vapristi, munozvidza zita rangu. Zvino munoti: Takazvidza zita renyu mune chipi?
  23213. Mal 1:7 Munopa chingwa chakasvibiswa pamusoro pearitari yangu uye munoti: Takakusvibisai pane zvipi? Pakuti munoti: Tafura yaJehovha inozvidzika.
  23214. Mal 1:8 Zvino kana muchiswededza chakapofumara kuva chibairo, hapana chakaipa here? Uye kana muchiswededza chakaremara nechinorwara, hapana chakaipa here? Chiswededzei henyu kumutongi wenyu; anokugamuchirai here? Uye anosimudzira chiso chenyu here? Anoreva Jehovha wehondo.
  23215. Mal 1:9 Zvino ikozvino, nyengeterai henyu chiso chaMwari, kuti atinzwire ngoni. Izvi zvibve paruoko rwenyu. Achagamuchira zviso zvenyu here? Anoreva Jehovha wehondo.
  23216. Mal 1:10 Ndiyani kunyange pakati penyu angapfiga magonhi? Zvino mukasavesera moto pamusoro pearitari yangu pasina mubairo. Handikufaririyi, anoreva Jehovha wehondo, uye handingagamuchiri chipo kubva muruoko rwenyu nemufaro.
  23217. Mal 1:11 Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvika pakuvira kwaro, zita rangu richava guru pakati pevechirudzi; nepanzvimbo yose zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvichapisirwa zita rangu, nechipo chakachena; nokuti zita rangu richava guru pakati pevechirudzi, anoreva Jehovha wehondo.
  23218. Mal 1:12 Asi munorisvibisa zvamunoti: Tafura yaIshe yakasvibiswa; nechibereko chayo, zvekudya zvayo zvinozvidzwa.
  23219. Mal 1:13 Uye munoti: Tarirai, zvinonetesa sei! Uye munorifengura mhino, anoreva Jehovha wehondo; uye munounza zvakapambiwa nezvinokamhina nezvinorwara; saizvozvo munounza chipo. Ndakagamuchira izvi nemufaro here muruoko rwenyu? anoreva Jehovha.
  23220. Mal 1:14 Zvino ngaatukwe munyengeri ane gondohwe paboka rake, anopika ndokubaira Ishe chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru, anoreva Jehovha wehondo, uye zita rangu rinotyisa pakati pevechirudzi.
  23221. Mal 2:1 Zvino ikozvino, vapristi, murairo uyu ndewenyu.
  23222. Mal 2:2 Kana musingateereri, uye kana mukasaisa mumoyo, kupa rukudzo kuzita rangu, anoreva Jehovha wehondo, ndichatuma chakatukwa pakati penyu, uye ndichatuka maropafadzo enyu; hongu, ndazvituka, nokuti hamuzviisi mumoyo.
  23223. Mal 2:3 Tarirai, ndichaodza chizvarwa chenyu, nekumwaya ndove pazviso zvenyu, ndove yemabiko enyu; uye muchabviswa pamwe nayo.
  23224. Mal 2:4 Zvino muchaziva kuti ndakutumirai murairo uyu; kuti sungano yangu ive naRevhi, anoreva Jehovha wehondo.
  23225. Mal 2:5 Sungano yangu naye yaiva upenyu nerugare, uye ndakamupa kutya kwaakanditya nako, uye akatya pamberi pezita rangu.
  23226. Mal 2:6 Murairo wechokwadi waiva mumuromo make, uye uipi hauna kuwanikwa pamiromo yake; wakafamba neni murugare nemukururama, uye wakatendeusa vazhinji kubva pauipi.
  23227. Mal 2:7 Nokuti miromo yemupristi inochengetedza ruzivo; uye vakatsvaka murairo pamuromo wake; nokuti iye mutumwa waJehovha wehondo.
  23228. Mal 2:8 Asi imwi makatsauka kubva panzira; makagumbusa vazhinji pamurairo; makasvibisa sungano yaRevhi; anoreva Jehovha wehondo.
  23229. Mal 2:9 Naizvozvowo ini ndakakuitai vanozvidzwa nevari pasi pamberi pevanhu vose, sezvamusina kuchengeta nzira dzangu, asi makagamuchira zviso pamurairo.
  23230. Mal 2:10 Isu tose hatina baba vamwe here? Mwari umwe haana kutisika here? Sei tichiita neunyengeri umwe kune wekwake, nekusvibisa sungano yemadzibaba edu?
  23231. Mal 2:11 Judha wakaita neunyengeri, uye kwakaitwa chinyangadzo kwaIsraeri nemuJerusarema; nokuti Judha wakasvibisa utsvene hwaJehovha hwaaida; uye wakaroora mukunda wamwari wevatorwa.
  23232. Mal 2:12 Zvino Jehovha achagura munhu anoita izvi, anomutsa neanopindura, kubva mumatende aJakove, neuyo anoswededza chipo kuna Jehovha wehondo.
  23233. Mal 2:13 Zvino izvi wazviita rwechipiri, uchifukidza aritari yaJehovha nemisodzi, nekuchema, nekugomera, nokuti hakuchina kutendeukira kuchipo kana kugamuchira chinhu chipi chinofadza kubva muruoko rwenyu.
  23234. Mal 2:14 Zvakadaro munoti: Nemhaka yei? Nekuda kwekuti Jehovha wanga ari chapupu pakati pako nemukadzi weujaya hwako, iye wawakaitira nekunyengera, zvakadaro ari shamwari yako, uye mukadzi wesungano yako.
  23235. Mal 2:15 Haana kuita umwe here? Zvakadaro ane mweya wakasara. Zvino nemhaka yei ari umwe? Kuti atsvake chizvarwa chaMwari. Naizvozvo chenjererai nemweya wenyu; uye musarega umwe achibata neunyengeri kumukadzi weujaya hwake.
  23236. Mal 2:16 Nokuti ndinovenga kurambana, anoreva Jehovha Mwari waIsraeri. Nokuti umwe anofukidza mhirizhonga nenguvo yake, anoreva Jehovha wehondo. Naizvozvo chenjererai nemweya yenyu, kuti musaita nekunyengera.
  23237. Mal 2:17 Makanetesa Jehovha nemashoko enyu. Zvakadaro munoti: Takanetesa pane zvipi? Pamunoti: Umwe neumwe anoita zvakaipa wakanaka pamberi paJehovha, uye munovafarira; kana: Aripi Mwari wemutongo?
  23238. Mal 3:1 Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achagadzira nzira pamberi pangu; uye Ishe wamunotsvaka achauya pakarepo kutembere yake, iyo nhume yesungano yamunofarira; tarirai anouya, anoreva Jehovha wehondo.
  23239. Mal 3:2 Zvino ndiyani angamiririra zuva rekuuya kwake? Uye ndiyani achamira pakuonekwa kwake? Nokuti wakaita semoto wemunatsi, uye sesipo yemusuki.
  23240. Mal 3:3 Uye achagara semunatsi nemuchenuri wesirivha; uye achachenura vanakomana vaRevhi, nekuvanatsa segoridhe uye sesirivha; kuti aswededze zvipo kuna Jehovha mukururama.
  23241. Mal 3:4 Zvino zvipo zvaJudha neJerusarema zvichatapira kuna Jehovha, sepamazuva ekare, uye sepamakore epakutanga.
  23242. Mal 3:5 Zvino ndichaswedera kwamuri pamutongo, uye ndichava chapupu chinokurumidza kurwisana nevaroyi, uye kurwisa zvifeve, uye kurwisa vapiki venhema, uye kurwisa avo vanomanikidza vakahaiwa pamihoro, chirikadzi, uye nherera, uye vanopidigura mutorwa, nevasingandityi, anoreva Jehovha wehondo.
  23243. Mal 3:6 Nokuti ndiri Jehovha, handishanduki; naizvozvo imwi vanakomana vaJakove hamuna kupedzwa.
  23244. Mal 3:7 Kunyange kubva pamazuva emadzibaba enyu makatsauka kubva pamitemo yangu, uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri, anoreva Jehovha wehondo. Asi munoti: Tichadzoka pachinhu chipi?
  23245. Mal 3:8 Munhu angabira Mwari here? Zvakadaro munondibira. Asi munoti: Takakubirai pane zvipi? Pazvegumi nezvipo.
  23246. Mal 3:9 Makatukwa nechakatukwa; nokuti munondibira, rudzi urwu rwose.
  23247. Mal 3:10 Unzai zvegumi zvose mudura kuti zvive zvekudya muimba yangu. Uye ndiidzei naizvozvi ikozvino, anoreva Jehovha wehondo, kana ndisingazokuzaruririi mahwindo ekumatenga, ndigokudururirai ropafadzo, kusvika kwashaikwa nzvimbo inokwana.
  23248. Mal 3:11 Zvino ndichatsiura anodya nekuda kwenyu, uye haangaparadzi zvibereko zvevhu renyu; nemuzambiringa wenyu haungasvosvi mumunda, anoreva Jehovha wehondo.
  23249. Mal 3:12 Zvino marudzi ose achakuti wakarurama, nokuti imwi muchava nyika inofadza, anoreva Jehovha wehondo.
  23250. Mal 3:13 Mashoko enyu aiva ari makukutu kwandiri, anoreva Jehovha. Zvakadaro munoti: Takataurei kukurwisai?
  23251. Mal 3:14 Makati: Chinhu chisina maturo kushumira Mwari. Uye mubairoi kuti tichengete faniro yake, uye kuti tifambe nenguvo dzemariro pamberi paJehovha wehondo?
  23252. Mal 3:15 Zvino ikozvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa; hongu, vanoita zvakaipa vanovakwa; hongu, vanoidza Mwari vanopukunyuka.
  23253. Mal 3:16 Ipapo vanotya Jehovha vakataura, umwe neumwe newekwake: Jehovha ndokuteerera ndokunzwa. Bhuku rechirangaridzo ndokunyorwa pamberi pake nezvevanotya Jehovha uye nezvevanofunganya zita rake.
  23254. Mal 3:17 Zvino vachava vangu, anoreva Jehovha wehondo, muzuva iro randichaita zvinokosha, uye ndichavarega semurume anorega mwanakomana wake anomushandira.
  23255. Mal 3:18 Zvino muchadzoka ndokuona pakati pewakarurama newakaipa, pakati peanoshumira Jehovha neasingamushumiri.
  23256. Mal 4:1 Nokuti tarirai, rinouya zuva rinopisa sechoto; zvino vose vanozvikudza nevose vanoita zvakaipa vachava mashanga; uye zuva rinouya richavapisa; anoreva Jehovha wehondo, zvekuti haringavasiiri mudzi kana davi.
  23257. Mal 4:2 Asi kwamuri munotya zita rangu, zuva rekururama richabuda, nekuporesa pamapapiro aro. Zvino muchabuda mugouruka semhuru muchirugu.
  23258. Mal 4:3 Muchatsikira vakaipa pasi, nokuti vachava madota pasi pezvitsiko zvetsoka dzenyu pazuva randichazviita, anoreva Jehovha wehondo.
  23259. Mal 4:4 Rangarirai murairo waMozisi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhu, waIsraeri wose, mitemo nemitongo.
  23260. Mal 4:5 Tarirai, ndichakutumirai Eria muporofita, kutangira kuuya kwezuva guru rinotyisa raJehovha.
  23261. Mal 4:6 Zvino achadzosera moyo yemadzibaba kuva vana, nemoyo yevana kuva madzibaba avo, zvimwe ndiuye ndokurova nyika nechakatukwa.
  23262. Mat 1:1 Bhuku rerudzi rwaJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama.
  23263. Mat 1:2 Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake;
  23264. Mat 1:3 Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami;
  23265. Mat 1:4 Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;
  23266. Mat 1:5 Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese;
  23267. Mat 1:6 Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadzi waiva waUriya;
  23268. Mat 1:7 Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa;
  23269. Mat 1:8 Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi;
  23270. Mat 1:9 Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia;
  23271. Mat 1:10 Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi;
  23272. Mat 1:11 Josiyasi ndokubereka Jekoniyasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.
  23273. Mat 1:12 Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniyasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri;
  23274. Mat 1:13 Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori;
  23275. Mat 1:14 Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi;
  23276. Mat 1:15 Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho;
  23277. Mat 1:16 Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.
  23278. Mat 1:17 Naizvozvo mazera ose kubva kuna Abhurahama kusvika kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvika pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvika kuna Kristu mazera gumi nemana.
  23279. Mat 1:18 Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuna Mweya Mutsvene.
  23280. Mat 1:19 Zvino Josefa murume wavo zvaaiva ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.
  23281. Mat 1:20 Asi wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndechaMweya Mutsvene.
  23282. Mat 1:21 Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
  23283. Mat 1:22 Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti:
  23284. Mat 1:23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti zvichishandurwa, Mwari anesu.
  23285. Mat 1:24 Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake;
  23286. Mat 1:25 uye haana kumuziva kusvika azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.
  23287. Mat 2:1 Zvino Jesu wakati aberekwa muBheterehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhi mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema,
  23288. Mat 2:2 vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo wevaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.
  23289. Mat 2:3 Zvino Herodhi mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rose naye.
  23290. Mat 2:4 Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vose nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.
  23291. Mat 2:5 Zvino vakati kwaari: MuBheterehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvo nemuporofita zvichinzi:
  23292. Mat 2:6 Newe Bheterehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri.
  23293. Mat 2:7 Zvino Herodhi, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.
  23294. Mat 2:8 Akavatuma kuBheterehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.
  23295. Mat 2:9 Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvika yasvika ikamira pamusoro pepaiva pane mucheche.
  23296. Mat 2:10 Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.
  23297. Mat 2:11 Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura.
  23298. Mat 2:12 Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
  23299. Mat 2:13 Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvika ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mucheche kuti amuparadze.
  23300. Mat 2:14 Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,
  23301. Mat 2:15 uye wakavako kusvika pakufa kwaHerodhi; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita.
  23302. Mat 2:16 Zvino Herodhi, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vose vaiva muBheterehemu nemumigumo yaro yose, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaaiva abvunzisisa kuvachenjeri.
  23303. Mat 2:17 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:
  23304. Mat 2:18 MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.
  23305. Mat 2:19 Asi Herodhi wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,
  23306. Mat 2:20 achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.
  23307. Mat 2:21 Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.
  23308. Mat 2:22 Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.
  23309. Mat 2:23 Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.
  23310. Mat 3:1 Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,
  23311. Mat 3:2 uye achiti: Tendeukai; nokuti ushe hwematenga hwaswedera.
  23312. Mat 3:3 Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.
  23313. Mat 3:4 Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo.
  23314. Mat 3:5 Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rose nedunhu rose rakapoteredza Joridhani;
  23315. Mat 3:6 ndokubhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.
  23316. Mat 3:7 Asi wakati achiona vazhinji vevaFarisi nevaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya?
  23317. Mat 3:8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
  23318. Mat 3:9 Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana.
  23319. Mat 3:10 Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.
  23320. Mat 3:11 Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.
  23321. Mat 3:12 Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.
  23322. Mat 3:13 Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.
  23323. Mat 3:14 Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri?
  23324. Mat 3:15 Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamutendera.
  23325. Mat 3:16 Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.
  23326. Mat 3:17 Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu mudikanwi, wandinofara maari kwazvo.
  23327. Mat 4:1 Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.
  23328. Mat 4:2 Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.
  23329. Mat 4:3 Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.
  23330. Mat 4:4 Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.
  23331. Mat 4:5 Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,
  23332. Mat 4:6 ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
  23333. Mat 4:7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.
  23334. Mat 4:8 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika nekubwinya kwahwo.
  23335. Mat 4:9 Akati kwaari: Zvose zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.
  23336. Mat 4:10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga.
  23337. Mat 4:11 Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.
  23338. Mat 4:12 Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.
  23339. Mat 4:13 Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNefitarimi;
  23340. Mat 4:14 kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
  23341. Mat 4:15 Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;
  23342. Mat 4:16 vanhu vaiva vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevaiva vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.
  23343. Mat 4:17 Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza uye kuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera.
  23344. Mat 4:18 Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin’ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vaiva vari varedzi.
  23345. Mat 4:19 Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.
  23346. Mat 4:20 Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.
  23347. Mat 4:21 Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin’ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
  23348. Mat 4:22 Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.
  23349. Mat 4:23 Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda roga-roga neurwere hwoga-hwoga pavanhu.
  23350. Mat 4:24 Shoko rake rikabudira kuSiriya yose; vakauisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevaiva vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevaiva vakafa mitezo; akavaporesa.
  23351. Mat 4:25 Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.
  23352. Mat 5:1 Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari,
  23353. Mat 5:2 akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti:
  23354. Mat 5:3 Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
  23355. Mat 5:4 Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa.
  23356. Mat 5:5 Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti ivo vachagara nhaka yenyika.
  23357. Mat 5:6 Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nokuti ivo vachagutiswa.
  23358. Mat 5:7 Vakaropafadzwa vane tsitsi; nokuti ivo vachaitirwa tsitsi.
  23359. Mat 5:8 Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ivo vachaona Mwari.
  23360. Mat 5:9 Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ivo vachanzi vana vaMwari.
  23361. Mat 5:10 Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
  23362. Mat 5:11 Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvose vachireva nhema nekuda kwangu.
  23363. Mat 5:12 Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
  23364. Mat 5:13 Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu.
  23365. Mat 5:14 Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki;
  23366. Mat 5:15 uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vose vari mumba.
  23367. Mat 5:16 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga.
  23368. Mat 5:17 Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.
  23369. Mat 5:18 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvika denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvika zvose zvaitika.
  23370. Mat 5:19 Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga.
  23371. Mat 5:20 Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekwevaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
  23372. Mat 5:21 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo;
  23373. Mat 5:22 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto.
  23374. Mat 5:23 Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe,
  23375. Mat 5:24 siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako.
  23376. Mat 5:25 Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo.
  23377. Mat 5:26 Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvika waripa kamari kekupedzisira.
  23378. Mat 5:27 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe;
  23379. Mat 5:28 asi ini ndinoti kwamuri: Wose anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make.
  23380. Mat 5:29 Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
  23381. Mat 5:30 Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
  23382. Mat 5:31 Zvakanziwo: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana;
  23383. Mat 5:32 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.
  23384. Mat 5:33 Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako;
  23385. Mat 5:34 asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe;
  23386. Mat 5:35 kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru;
  23387. Mat 5:36 uye usapika nemusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema.
  23388. Mat 5:37 Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.
  23389. Mat 5:38 Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino;
  23390. Mat 5:39 asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo.
  23391. Mat 5:40 Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo.
  23392. Mat 5:41 Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.
  23393. Mat 5:42 Ipa anokumbira kwauri, uye usafuratira anoda kukwereta kwauri.
  23394. Mat 5:43 Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako.
  23395. Mat 5:44 Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai.
  23396. Mat 5:45 Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.
  23397. Mat 5:46 Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here?
  23398. Mat 5:47 Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here?
  23399. Mat 5:48 Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.
  23400. Mat 6:1 Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.
  23401. Mat 6:2 Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
  23402. Mat 6:3 Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.
  23403. Mat 6:4 Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena.
  23404. Mat 6:5 Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
  23405. Mat 6:6 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda mumba mako memukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
  23406. Mat 6:7 Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.
  23407. Mat 6:8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira.
  23408. Mat 6:9 Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;
  23409. Mat 6:10 ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;
  23410. Mat 6:11 mutipei nhasi kudya kwedu kwemazuva ose;
  23411. Mat 6:12 uye mutikanganwire mangava edu, isu sezvatinokanganwirawo vane ngava nesu;
  23412. Mat 6:13 uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  23413. Mat 6:14 Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.
  23414. Mat 6:15 Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.
  23415. Mat 6:16 Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
  23416. Mat 6:17 Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,
  23417. Mat 6:18 kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
  23418. Mat 6:19 Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chipfukuto nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;
  23419. Mat 6:20 asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chipfukuto kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba.
  23420. Mat 6:21 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.
  23421. Mat 6:22 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wose uchazara nechiedza.
  23422. Mat 6:23 Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!
  23423. Mat 6:24 Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona.
  23424. Mat 6:25 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko?
  23425. Mat 6:26 Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?
  23426. Mat 6:27 Ndiani kwamuri nekufunganya angawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
  23427. Mat 6:28 Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki;
  23428. Mat 6:29 asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kose haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.
  23429. Mat 6:30 Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki?
  23430. Mat 6:31 Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?
  23431. Mat 6:32 Nokuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.
  23432. Mat 6:33 Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
  23433. Mat 6:34 Naizvozvo musafunganyira mangwana, nokuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.
  23434. Mat 7:1 Musatonga, kuti murege kutongwa,
  23435. Mat 7:2 nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho.
  23436. Mat 7:3 Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?
  23437. Mat 7:4 Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?
  23438. Mat 7:5 Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.
  23439. Mat 7:6 Musapa chitsvene kuimbwa, uye musakandira maparera enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
  23440. Mat 7:7 Kumbirai, zvino muchapiwa; tsvakai, zvino muchawana; gogodzai, zvino muchazarurirwa.
  23441. Mat 7:8 Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.
  23442. Mat 7:9 Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?
  23443. Mat 7:10 Kana kuti akakumbira hove, achamupa nyoka?
  23444. Mat 7:11 Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?
  23445. Mat 7:12 Naizvozvo zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.
  23446. Mat 7:13 Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhama inoenda kukuparadzwa, uye vazhinji varipo vanopinda naro.
  23447. Mat 7:14 Nokuti suwo rakamanikana nenzira inhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.
  23448. Mat 7:15 Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.
  23449. Mat 7:16 Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva?
  23450. Mat 7:17 Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.
  23451. Mat 7:18 Muti wakanaka haugoni kubereka zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.
  23452. Mat 7:19 Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.
  23453. Mat 7:20 Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.
  23454. Mat 7:21 Haasi wose anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.
  23455. Mat 7:22 Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?
  23456. Mat 7:23 Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
  23457. Mat 7:24 Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.
  23458. Mat 7:25 Zvino mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yaiva yakateyiwa paruware.
  23459. Mat 7:26 Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;
  23460. Mat 7:27 zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru.
  23461. Mat 7:28 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.
  23462. Mat 7:29 Nokuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.
  23463. Mat 8:1 Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera.
  23464. Mat 8:2 Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
  23465. Mat 8:3 Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
  23466. Mat 8:4 Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari.
  23467. Mat 8:5 Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa,
  23468. Mat 8:6 achiti: Ishe, muranda wangu arere kumba wakafa mitezo, anotambudzika kwazvo.
  23469. Mat 8:7 Zvino Jesu akati kwaari: Ini ndichauya ndimuporese.
  23470. Mat 8:8 Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa.
  23471. Mat 8:9 Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda; anoenda; nekune umwe: Uya; anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi; anoita.
  23472. Mat 8:10 Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
  23473. Mat 8:11 Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga;
  23474. Mat 8:12 asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
  23475. Mat 8:13 Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo.
  23476. Mat 8:14 Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri.
  23477. Mat 8:15 Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira.
  23478. Mat 8:16 Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara;
  23479. Mat 8:17 kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu.
  23480. Mat 8:18 Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.
  23481. Mat 8:19 Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kose kwamunoenda.
  23482. Mat 8:20 Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro.
  23483. Mat 8:21 Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu.
  23484. Mat 8:22 Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.
  23485. Mat 8:23 Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.
  23486. Mat 8:24 Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa raiva rofukidzwa nemafungu; asi iye waiva arere.
  23487. Mat 8:25 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara!
  23488. Mat 8:26 Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.
  23489. Mat 8:27 Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera?
  23490. Mat 8:28 Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yevaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwaiva kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo.
  23491. Mat 8:29 Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here?
  23492. Mat 8:30 Zvino kure navo kwaiva kune boka renguruve zhinji richifura.
  23493. Mat 8:31 Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.
  23494. Mat 8:32 Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rose renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura.
  23495. Mat 8:33 Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvose uye zvevaiva vane madhimoni.
  23496. Mat 8:34 Zvino tarira, guta rose rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo.
  23497. Mat 9:1 Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.
  23498. Mat 9:2 Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere panhovo. Zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako.
  23499. Mat 9:3 Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.
  23500. Mat 9:4 Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?
  23501. Mat 9:5 Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe?
  23502. Mat 9:6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune waiva akafa mitezo): Simuka, tora nhovo yako, uende kumba kwako.
  23503. Mat 9:7 Akasimuka, akaenda kumba kwake.
  23504. Mat 9:8 Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu.
  23505. Mat 9:9 Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.
  23506. Mat 9:10 Zvino zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.
  23507. Mat 9:11 Zvino vaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?
  23508. Mat 9:12 Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara.
  23509. Mat 9:13 Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwetewo chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
  23510. Mat 9:14 Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu nevaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?
  23511. Mat 9:15 Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.
  23512. Mat 9:16 Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.
  23513. Mat 9:17 Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; kana zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.
  23514. Mat 9:18 Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu afa iyezvi; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama.
  23515. Mat 9:19 Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.
  23516. Mat 9:20 Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.
  23517. Mat 9:21 Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaponeswa.
  23518. Mat 9:22 Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa paurwere kubva panguva iyo.
  23519. Mat 9:23 Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere,
  23520. Mat 9:24 akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza.
  23521. Mat 9:25 Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.
  23522. Mat 9:26 Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yose.
  23523. Mat 9:27 Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!
  23524. Mat 9:28 Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
  23525. Mat 9:29 Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.
  23526. Mat 9:30 Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva.
  23527. Mat 9:31 Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.
  23528. Mat 9:32 Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni.
  23529. Mat 9:33 Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.
  23530. Mat 9:34 Asi vaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.
  23531. Mat 9:35 Zvino Jesu wakapota nemaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rose neurwere hwose pakati pevanhu.
  23532. Mat 9:36 Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vaiva vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.
  23533. Mat 9:37 Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma;
  23534. Mat 9:38 naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake.
  23535. Mat 10:1 Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nekuporesa denda rose neurwere hwose.
  23536. Mat 10:2 Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin’ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin’ina wake;
  23537. Mat 10:3 Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo;
  23538. Mat 10:4 Simoni muKenani, naJudhasi Isikariyoti iyewo wakamutengesa.
  23539. Mat 10:5 Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta revaSamariya;
  23540. Mat 10:6 asi zvikuru muende kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.
  23541. Mat 10:7 Zvino pakufamba, muparidze muchiti: Ushe hwekumatenga hwaswedera.
  23542. Mat 10:8 Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.
  23543. Mat 10:9 Musawana goridhe, kana sirivha, kana ndarira mumabhanhire enyu,
  23544. Mat 10:10 kana homwe yerwendo, kana nguvo refu mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nokuti mushandi wakafanira kudya kwake.
  23545. Mat 10:11 Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvika muchibva.
  23546. Mat 10:12 Zvino kana muchipinda mumba, muikwazise.
  23547. Mat 10:13 Uye kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo; asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
  23548. Mat 10:14 Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu.
  23549. Mat 10:15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.
  23550. Mat 10:16 Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka, mururame senjiva.
  23551. Mat 10:17 Asi svinurirai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo;
  23552. Mat 10:18 zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, huve uchapupu kwavari nekuvahedheni.
  23553. Mat 10:19 Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chii; nokuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura.
  23554. Mat 10:20 Nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mamuri.
  23555. Mat 10:21 Mwanakomana wamai achakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya.
  23556. Mat 10:22 Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.
  23557. Mat 10:23 Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungatongopedzi maguta aIsraeri, kusvika Mwanakomana wemunhu asvika.
  23558. Mat 10:24 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi, kana muranda pamusoro paishe wake.
  23559. Mat 10:25 Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
  23560. Mat 10:26 Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi, kana chakavanzika chisingazozikanwi.
  23561. Mat 10:27 Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba.
  23562. Mat 10:28 Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya weupenyu; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvose mweya weupenyu nemuviri mugehena.
  23563. Mat 10:29 Ko tushiri tuviri hatutengeswi nekobiri here? Asi kamwe kadzo hakangawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu.
  23564. Mat 10:30 Asi nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose.
  23565. Mat 10:31 Naizvozvo musatya, imwi munopfuura tushiri tuzhinji.
  23566. Mat 10:32 Naizvozvo umwe neumwe achandipupura pamberi pevanhu, ini ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga.
  23567. Mat 10:33 Asi ani nani anondiramba pamberi pevanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.
  23568. Mat 10:34 Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo.
  23569. Mat 10:35 Nokuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake;
  23570. Mat 10:36 nevavengi vemunhu ndeveimba yake.
  23571. Mat 10:37 Anoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neanoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini;
  23572. Mat 10:38 uye asingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanira ini.
  23573. Mat 10:39 Anowana mweya wake acharasikirwa nawo; asi anorasikirwa nemweya wake nekuda kwangu achauwana.
  23574. Mat 10:40 Uyo anogamuchira imwi anogamuchira ini; neanogamuchira ini anogamuchira iye wakandituma.
  23575. Mat 10:41 Anogamuchira muporofita muzita remuporofita achawana mubairo wemuporofita; neanogamuchira wakarurama muzita rewakarurama achawana mubairo wewakarurama.
  23576. Mat 10:42 Uye ani nani anonwisa umwe wevadiki ava mukombe chete wemvura inotonhorera muzita remudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorasikirwi nemubairo wake.
  23577. Mat 11:1 Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.
  23578. Mat 11:2 Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
  23579. Mat 11:3 akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe?
  23580. Mat 11:4 Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:
  23581. Mat 11:5 Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri.
  23582. Mat 11:6 Wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
  23583. Mat 11:7 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Maiva mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here?
  23584. Mat 11:8 Asi maiva mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.
  23585. Mat 11:9 Asi maiva mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita;
  23586. Mat 11:10 nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
  23587. Mat 11:11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.
  23588. Mat 11:12 Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvika zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba.
  23589. Mat 11:13 Nokuti vaporofita vose nemurairo vakaporofita kusvika kuna Johwani;
  23590. Mat 11:14 zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria waiva achizouya.
  23591. Mat 11:15 Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  23592. Mat 11:16 Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,
  23593. Mat 11:17 vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.
  23594. Mat 11:18 Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni.
  23595. Mat 11:19 Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo.
  23596. Mat 11:20 Ipapo akatanga kutsiura maguta maiva maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati:
  23597. Mat 11:21 Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.
  23598. Mat 11:22 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.
  23599. Mat 11:23 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvika zuva rino.
  23600. Mat 11:24 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.
  23601. Mat 11:25 Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.
  23602. Mat 11:26 Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.
  23603. Mat 11:27 Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
  23604. Mat 11:28 Uyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.
  23605. Mat 11:29 Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yeupenyu yenyu;
  23606. Mat 11:30 nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.
  23607. Mat 12:1 Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vaiva vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.
  23608. Mat 12:2 Asi vaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.
  23609. Mat 12:3 Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paaiva ava nenzara, iye nevaiva vanaye;
  23610. Mat 12:4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaaiva asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye, kunze kwevapristi chete?
  23611. Mat 12:5 Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?
  23612. Mat 12:6 Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.
  23613. Mat 12:7 Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva.
  23614. Mat 12:8 Nokuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
  23615. Mat 12:9 Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.
  23616. Mat 12:10 Zvino tarira, kwaiva kune munhu aiva ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.
  23617. Mat 12:11 Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza?
  23618. Mat 12:12 Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.
  23619. Mat 12:13 Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
  23620. Mat 12:14 Zvino vaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
  23621. Mat 12:15 Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vose.
  23622. Mat 12:16 Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.
  23623. Mat 12:17 Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
  23624. Mat 12:18 Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya weupenyu wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga.
  23625. Mat 12:19 Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna achanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.
  23626. Mat 12:20 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvika achituma kutonga mukukunda.
  23627. Mat 12:21 Uye vahedheni vachavimba muzita rake.
  23628. Mat 12:22 Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.
  23629. Mat 12:23 Zvaunga zvose zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?
  23630. Mat 12:24 Asi vaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
  23631. Mat 12:25 Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri.
  23632. Mat 12:26 Uye kana Satani achibudisa Satani, anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei?
  23633. Mat 12:27 Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
  23634. Mat 12:28 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
  23635. Mat 12:29 Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake.
  23636. Mat 12:30 Uyo asina ini, anopikisana neni, neasingaunganidzi neni, anoparadzira.
  23637. Mat 12:31 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chose nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.
  23638. Mat 12:32 Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya.
  23639. Mat 12:33 Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko.
  23640. Mat 12:34 Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.
  23641. Mat 12:35 Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yakaipa.
  23642. Mat 12:36 Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.
  23643. Mat 12:37 Nokuti nemashoko ako uchanzi wakarurama, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.
  23644. Mat 12:38 Zvino vamwe vevanyori nevevaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.
  23645. Mat 12:39 Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
  23646. Mat 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
  23647. Mat 12:41 Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
  23648. Mat 12:42 Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
  23649. Mat 12:43 Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakaoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa.
  23650. Mat 12:44 Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.
  23651. Mat 12:45 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.
  23652. Mat 12:46 Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin’ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.
  23653. Mat 12:47 Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin’ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.
  23654. Mat 12:48 Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin’ina vangu ndivana ani?
  23655. Mat 12:49 Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin’ina vangu.
  23656. Mat 12:50 Nokuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin’ina wangu nehanzvadzi namai.
  23657. Mat 13:1 Nezuva iro Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa.
  23658. Mat 13:2 Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvika apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chose chakamira pamahombekombe.
  23659. Mat 13:3 Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
  23660. Mat 13:4 Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.
  23661. Mat 13:5 Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payaiva isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti paiva pasina udziku hwevhu.
  23662. Mat 13:6 Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yaiva isina mudzi, yakasvava.
  23663. Mat 13:7 Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga.
  23664. Mat 13:8 Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu.
  23665. Mat 13:9 Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  23666. Mat 13:10 Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?
  23667. Mat 13:11 Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.
  23668. Mat 13:12 Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo.
  23669. Mat 13:13 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.
  23670. Mat 13:14 Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.
  23671. Mat 13:15 Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa.
  23672. Mat 13:16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.
  23673. Mat 13:17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vaiva vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.
  23674. Mat 13:18 Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.
  23675. Mat 13:19 Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.
  23676. Mat 13:20 Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;
  23677. Mat 13:21 asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.
  23678. Mat 13:22 Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki.
  23679. Mat 13:23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.
  23680. Mat 13:24 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
  23681. Mat 13:25 Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
  23682. Mat 13:26 Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo.
  23683. Mat 13:27 Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?
  23684. Mat 13:28 Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here?
  23685. Mat 13:29 Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo.
  23686. Mat 13:30 Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvika pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.
  23687. Mat 13:31 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.
  23688. Mat 13:32 Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzose, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.
  23689. Mat 13:33 Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvika hwose hwaviriswa.
  23690. Mat 13:34 Izvi zvinhu zvose Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;
  23691. Mat 13:35 kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvaiva zvakavanzika kubva pamavambo enyika.
  23692. Mat 13:36 Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.
  23693. Mat 13:37 Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;
  23694. Mat 13:38 uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa.
  23695. Mat 13:39 Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa.
  23696. Mat 13:40 Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino.
  23697. Mat 13:41 Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvose nevanoita zvakaipa;
  23698. Mat 13:42 zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
  23699. Mat 13:43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  23700. Mat 13:44 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uyo.
  23701. Mat 13:45 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera akanaka;
  23702. Mat 13:46 akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvose zvaaiva anazvo, akaritenga.
  23703. Mat 13:47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ose ehove.
  23704. Mat 13:48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.
  23705. Mat 13:49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,
  23706. Mat 13:50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
  23707. Mat 13:51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvose here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
  23708. Mat 13:52 Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.
  23709. Mat 13:53 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.
  23710. Mat 13:54 Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvika vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba?
  23711. Mat 13:55 Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin’ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?
  23712. Mat 13:56 Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzose here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvose?
  23713. Mat 13:57 Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.
  23714. Mat 13:58 Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.
  23715. Mat 14:1 Panguva iyo Herodhi umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,
  23716. Mat 14:2 akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa; naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari.
  23717. Mat 14:3 Nokuti Herodhi waiva abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin’ina wake.
  23718. Mat 14:4 Nokuti Johwani waiva ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.
  23719. Mat 14:5 Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita.
  23720. Mat 14:6 Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhi, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhi.
  23721. Mat 14:7 Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira.
  23722. Mat 14:8 Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
  23723. Mat 14:9 Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevaiva vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.
  23724. Mat 14:10 Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo.
  23725. Mat 14:11 Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.
  23726. Mat 14:12 Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu.
  23727. Mat 14:13 Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari oga; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.
  23728. Mat 14:14 Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
  23729. Mat 14:15 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya.
  23730. Mat 14:16 Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.
  23731. Mat 14:17 Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.
  23732. Mat 14:18 Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.
  23733. Mat 14:19 Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga.
  23734. Mat 14:20 Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.
  23735. Mat 14:21 Uye vaiva vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana.
  23736. Mat 14:22 Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.
  23737. Mat 14:23 Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari oga kunonyengetera; akati ava madekwani, waiva ari oga ipapo.
  23738. Mat 14:24 Asi chikepe zvino chaiva chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yaiva ichipikisa.
  23739. Mat 14:25 Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
  23740. Mat 14:26 Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya.
  23741. Mat 14:27 Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.
  23742. Mat 14:28 Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
  23743. Mat 14:29 Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.
  23744. Mat 14:30 Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!
  23745. Mat 14:31 Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei?
  23746. Mat 14:32 Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.
  23747. Mat 14:33 Vaiva vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.
  23748. Mat 14:34 Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.
  23749. Mat 14:35 Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vose vairwara.
  23750. Mat 14:36 Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vose vakabata vakaporeswa.
  23751. Mat 15:1 Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori nevaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti:
  23752. Mat 15:2 Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa.
  23753. Mat 15:3 Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu?
  23754. Mat 15:4 Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
  23755. Mat 15:5 Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo,
  23756. Mat 15:6 naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu.
  23757. Mat 15:7 Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti:
  23758. Mat 15:8 Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni.
  23759. Mat 15:9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu.
  23760. Mat 15:10 Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise.
  23761. Mat 15:11 Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.
  23762. Mat 15:12 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti vaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here?
  23763. Mat 15:13 Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa.
  23764. Mat 15:14 Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri.
  23765. Mat 15:15 Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu.
  23766. Mat 15:16 Zvino Jesu akati: Imwiwo muchiri vasinganzwisisi nhai?
  23767. Mat 15:17 Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvose zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze?
  23768. Mat 15:18 Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu.
  23769. Mat 15:19 Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba.
  23770. Mat 15:20 Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.
  23771. Mat 15:21 Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.
  23772. Mat 15:22 Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni.
  23773. Mat 15:23 Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu.
  23774. Mat 15:24 Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri.
  23775. Mat 15:25 Zvino akauya akamunamata achiti: Ishe, ndibatsirei.
  23776. Mat 15:26 Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana.
  23777. Mat 15:27 Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.
  23778. Mat 15:28 Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo.
  23779. Mat 15:29 Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo.
  23780. Mat 15:30 Zvino zvaunga zvikuru zvakauya kwaari zvine mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa;
  23781. Mat 15:31 zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.
  23782. Mat 15:32 Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.
  23783. Mat 15:33 Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai?
  23784. Mat 15:34 Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene.
  23785. Mat 15:35 Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu.
  23786. Mat 15:36 Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga.
  23787. Mat 15:37 Vakadya vose vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.
  23788. Mat 15:38 Zvino avo vakadya vaiva vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana.
  23789. Mat 15:39 Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.
  23790. Mat 16:1 VaFarisi nevaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
  23791. Mat 16:2 Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka.
  23792. Mat 16:3 Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here?
  23793. Mat 16:4 Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.
  23794. Mat 16:5 Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa.
  23795. Mat 16:6 Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.
  23796. Mat 16:7 Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nokuti hatina kutora zvingwa.
  23797. Mat 16:8 Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa?
  23798. Mat 16:9 Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?
  23799. Mat 16:10 Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?
  23800. Mat 16:11 Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi?
  23801. Mat 16:12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.
  23802. Mat 16:13 Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?
  23803. Mat 16:14 Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.
  23804. Mat 16:15 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?
  23805. Mat 16:16 Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.
  23806. Mat 16:17 Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.
  23807. Mat 16:18 Neniwo ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena haangaikundi.
  23808. Mat 16:19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.
  23809. Mat 16:20 Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.
  23810. Mat 16:21 Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.
  23811. Mat 16:22 Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngoni kwamuri, Ishe; ngazvirege kutongoitika kwamuri.
  23812. Mat 16:23 Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
  23813. Mat 16:24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
  23814. Mat 16:25 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana.
  23815. Mat 16:26 Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yose, akarasikirwa nemweya weupenyu wake? Kana munhu achapei chive muripo wemweya weupenyu wake?
  23816. Mat 16:27 Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.
  23817. Mat 16:28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingatongoraviri rufu kusvika vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.
  23818. Mat 17:1 Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin’ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.
  23819. Mat 17:2 Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza.
  23820. Mat 17:3 Zvino tarira, kwakaonekwa kwavari Mozisi naEria vachitaura naye.
  23821. Mat 17:4 Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.
  23822. Mat 17:5 Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye.
  23823. Mat 17:6 Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.
  23824. Mat 17:7 Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.
  23825. Mat 17:8 Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.
  23826. Mat 17:9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvika Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.
  23827. Mat 17:10 Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?
  23828. Mat 17:11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvose.
  23829. Mat 17:12 Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvose zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo.
  23830. Mat 17:13 Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.
  23831. Mat 17:14 Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:
  23832. Mat 17:15 Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, uye kazhinji mumvura.
  23833. Mat 17:16 Uye ndakamuuisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.
  23834. Mat 17:17 Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvika rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvika rinhi? Muuisei pano pandiri.
  23835. Mat 17:18 Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo.
  23836. Mat 17:19 Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu taiva tisingagoni nei kuribudisa?
  23837. Mat 17:20 Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; uye hakuna chinhu chingakukonai.
  23838. Mat 17:21 Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.
  23839. Mat 17:22 Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu,
  23840. Mat 17:23 uye vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswa. Uye vakashurukirwa zvikuru.
  23841. Mat 17:24 Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?
  23842. Mat 17:25 Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?
  23843. Mat 17:26 Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
  23844. Mat 17:27 Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.
  23845. Mat 18:1 Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?
  23846. Mat 18:2 Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.
  23847. Mat 18:3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
  23848. Mat 18:4 Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.
  23849. Mat 18:5 Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.
  23850. Mat 18:6 Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.
  23851. Mat 18:7 Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!
  23852. Mat 18:8 Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi.
  23853. Mat 18:9 Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto.
  23854. Mat 18:10 Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.
  23855. Mat 18:11 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chaiva chakarasika.
  23856. Mat 18:12 Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika?
  23857. Mat 18:13 Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.
  23858. Mat 18:14 Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.
  23859. Mat 18:15 Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako.
  23860. Mat 18:16 Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rose risimbiswe.
  23861. Mat 18:17 Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.
  23862. Mat 18:18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
  23863. Mat 18:19 Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.
  23864. Mat 18:20 Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.
  23865. Mat 18:21 Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvika kanomwe here?
  23866. Mat 18:22 Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvika kanomwe; asi: Kusvika makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.
  23867. Mat 18:23 Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, waiva achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.
  23868. Mat 18:24 Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari waiva ane chikwereti chematarenda gumi rezvuru.
  23869. Mat 18:25 Asi zvaaiva asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvose zvaaiva anazvo, kuti muripo uitwe.
  23870. Mat 18:26 Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvose.
  23871. Mat 18:27 Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti.
  23872. Mat 18:28 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, waiva ane ngava kwaari remadhenario zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira.
  23873. Mat 18:29 Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvose.
  23874. Mat 18:30 Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvika aripa chikwereti.
  23875. Mat 18:31 Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvaiva zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvose zvakaitika.
  23876. Mat 18:32 Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza.
  23877. Mat 18:33 Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi?
  23878. Mat 18:34 Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvika aripa zvose zvakafanira kwaari.
  23879. Mat 18:35 Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.
  23880. Mat 19:1 Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani.
  23881. Mat 19:2 Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.
  23882. Mat 19:3 VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi?
  23883. Mat 19:4 Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi?
  23884. Mat 19:5 Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe.
  23885. Mat 19:6 Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza, munhu ngaarege kuparadzanisa.
  23886. Mat 19:7 Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba?
  23887. Mat 19:8 Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvaiva zvisina kudaro.
  23888. Mat 19:9 Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba.
  23889. Mat 19:10 Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana.
  23890. Mat 19:11 Asi akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa.
  23891. Mat 19:12 Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.
  23892. Mat 19:13 Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.
  23893. Mat 19:14 Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai.
  23894. Mat 19:15 Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
  23895. Mat 19:16 Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi?
  23896. Mat 19:17 Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.
  23897. Mat 19:18 Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema,
  23898. Mat 19:19 kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.
  23899. Mat 19:20 Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei?
  23900. Mat 19:21 Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere.
  23901. Mat 19:22 Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti raiva rine nhumbi zhinji.
  23902. Mat 19:23 Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga.
  23903. Mat 19:24 Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
  23904. Mat 19:25 Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa?
  23905. Mat 19:26 Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
  23906. Mat 19:27 Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; zvino tichava nei?
  23907. Mat 19:28 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
  23908. Mat 19:29 Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin’ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi.
  23909. Mat 19:30 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.
  23910. Mat 20:1 Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.
  23911. Mat 20:2 Wakati atenderana nevabati padhenario pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
  23912. Mat 20:3 Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;
  23913. Mat 20:4 akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.
  23914. Mat 20:5 Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.
  23915. Mat 20:6 Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rose musina chekuita?
  23916. Mat 20:7 Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, uye muchagamuchira chero zvakafanira.
  23917. Mat 20:8 Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvika kune vekutanga.
  23918. Mat 20:9 Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario.
  23919. Mat 20:10 Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario.
  23920. Mat 20:11 Vakati vagamuchira vakagunun’unira mwene weimba,
  23921. Mat 20:12 vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.
  23922. Mat 20:13 Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario?
  23923. Mat 20:14 Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.
  23924. Mat 20:15 Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
  23925. Mat 20:16 Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa.
  23926. Mat 20:17 Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari voga munzira, akati kwavari:
  23927. Mat 20:18 Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.
  23928. Mat 20:19 Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka.
  23929. Mat 20:20 Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari.
  23930. Mat 20:21 Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.
  23931. Mat 20:22 Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.
  23932. Mat 20:23 Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.
  23933. Mat 20:24 Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin’ina vaviri.
  23934. Mat 20:25 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.
  23935. Mat 20:26 Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
  23936. Mat 20:27 Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
  23937. Mat 20:28 SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji.
  23938. Mat 20:29 Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.
  23939. Mat 20:30 Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
  23940. Mat 20:31 Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
  23941. Mat 20:32 Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?
  23942. Mat 20:33 Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.
  23943. Mat 20:34 Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.
  23944. Mat 21:1 Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
  23945. Mat 21:2 achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.
  23946. Mat 21:3 Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira.
  23947. Mat 21:4 Izvozvi zvose zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:
  23948. Mat 21:5 Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro.
  23949. Mat 21:6 Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,
  23950. Mat 21:7 vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.
  23951. Mat 21:8 Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
  23952. Mat 21:9 Zvaunga zvaiva zvakamutungamirira nevaiva vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
  23953. Mat 21:10 Wakati apinda muJerusarema, guta rose rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?
  23954. Mat 21:11 Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.
  23955. Mat 21:12 Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vose vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.
  23956. Mat 21:13 Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.
  23957. Mat 21:14 Zvino kwakauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.
  23958. Mat 21:15 Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaaiva achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,
  23959. Mat 21:16 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo?
  23960. Mat 21:17 Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokurarapo.
  23961. Mat 21:18 Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
  23962. Mat 21:19 Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvika narinhi. Pakarepo muonde ukasvava.
  23963. Mat 21:20 Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?
  23964. Mat 21:21 Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.
  23965. Mat 21:22 Nezvose zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.
  23966. Mat 21:23 Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?
  23967. Mat 21:24 Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
  23968. Mat 21:25 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda?
  23969. Mat 21:26 Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vose vakatora Johwani semuporofita.
  23970. Mat 21:27 Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi.
  23971. Mat 21:28 Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.
  23972. Mat 21:29 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.
  23973. Mat 21:30 Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; asi haana kuenda.
  23974. Mat 21:31 Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
  23975. Mat 21:32 Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.
  23976. Mat 21:33 Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa kuvarimi, akaenda kunze kwenyika.
  23977. Mat 21:34 Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake.
  23978. Mat 21:35 Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe.
  23979. Mat 21:36 Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.
  23980. Mat 21:37 Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
  23981. Mat 21:38 Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayei tibate nhaka yake.
  23982. Mat 21:39 Zvino vakamubata vakaposhera panze kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
  23983. Mat 21:40 Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi avo?
  23984. Mat 21:41 Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo.
  23985. Mat 21:42 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; kubva kuna Ishe izvi zvaitika, zvinoshamisa pameso edu?
  23986. Mat 21:43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.
  23987. Mat 21:44 Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.
  23988. Mat 21:45 Vapristi vakuru nevaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo.
  23989. Mat 21:46 Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nokuti vaimutora semuporofita.
  23990. Mat 22:1 Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti:
  23991. Mat 22:2 Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato;
  23992. Mat 22:3 akatuma varanda vake kunodana vaiva vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya.
  23993. Mat 22:4 Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumuchato.
  23994. Mat 22:5 Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake;
  23995. Mat 22:6 vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.
  23996. Mat 22:7 Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo.
  23997. Mat 22:8 Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vaiva vakokwa vaiva vasina kufanira.
  23998. Mat 22:9 Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vose vamunowana.
  23999. Mat 22:10 Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vose nekuwanda kwevavakawana, zvose vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya.
  24000. Mat 22:11 Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato;
  24001. Mat 22:12 akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo.
  24002. Mat 22:13 Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
  24003. Mat 22:14 Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa.
  24004. Mat 22:15 Zvino vaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura.
  24005. Mat 22:16 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane vaHerodhi, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu.
  24006. Mat 22:17 Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete?
  24007. Mat 22:18 Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri?
  24008. Mat 22:19 Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario.
  24009. Mat 22:20 Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani?
  24010. Mat 22:21 Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
  24011. Mat 22:22 Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.
  24012. Mat 22:23 Nezuva iro kwakauya kwaari vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza,
  24013. Mat 22:24 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin’ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu.
  24014. Mat 22:25 Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin’ina wake.
  24015. Mat 22:26 Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvika kune wechinomwe.
  24016. Mat 22:27 Pakupedzisira kwevose mukadzi akafawo.
  24017. Mat 22:28 Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vose vakava naye.
  24018. Mat 22:29 Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari;
  24019. Mat 22:30 nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga.
  24020. Mat 22:31 Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:
  24021. Mat 22:32 Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.
  24022. Mat 22:33 Zvino zvaunga zvichizvinzwa zvakashamisika nedzidziso yake.
  24023. Mat 22:34 VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa vaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe.
  24024. Mat 22:35 Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti:
  24025. Mat 22:36 Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo?
  24026. Mat 22:37 Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya weupenyu wako wose, uye nemurangariro wako wose.
  24027. Mat 22:38 Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru.
  24028. Mat 22:39 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe.
  24029. Mat 22:40 Pamirairo iyi miviri, murairo wose nevaporofita zvakaremberedzwa.
  24030. Mat 22:41 Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza,
  24031. Mat 22:42 achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi.
  24032. Mat 22:43 Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti:
  24033. Mat 22:44 Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
  24034. Mat 22:45 Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei?
  24035. Mat 22:46 Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwaiva kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.
  24036. Mat 23:1 Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,
  24037. Mat 23:2 achiti: Vanyori nevaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;
  24038. Mat 23:3 saka zvose chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.
  24039. Mat 23:4 Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo.
  24040. Mat 23:5 Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;
  24041. Mat 23:6 vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,
  24042. Mat 23:7 nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi, Rabhi.
  24043. Mat 23:8 Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mose muri hama.
  24044. Mat 23:9 Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.
  24045. Mat 23:10 Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu.
  24046. Mat 23:11 Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu.
  24047. Mat 23:12 Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa.
  24048. Mat 23:13 Asi mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, uye hamutenderi vanopinda kupinda.
  24049. Mat 23:14 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.
  24050. Mat 23:15 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.
  24051. Mat 23:16 Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava.
  24052. Mat 23:17 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene?
  24053. Mat 23:18 Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava.
  24054. Mat 23:19 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene?
  24055. Mat 23:20 Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo uye nezvose zviri pamusoro payo.
  24056. Mat 23:21 Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi.
  24057. Mat 23:22 Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.
  24058. Mat 23:23 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte neadhiri nekumini, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe.
  24059. Mat 23:24 Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.
  24060. Mat 23:25 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.
  24061. Mat 23:26 MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.
  24062. Mat 23:27 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemapfupa evakafa netsvina yose.
  24063. Mat 23:28 Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.
  24064. Mat 23:29 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,
  24065. Mat 23:30 muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.
  24066. Mat 23:31 Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita.
  24067. Mat 23:32 Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!
  24068. Mat 23:33 Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?
  24069. Mat 23:34 Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.
  24070. Mat 23:35 Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rose rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvika paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari.
  24071. Mat 23:36 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichauya pamusoro pezera iri.
  24072. Mat 23:37 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndaiva ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda.
  24073. Mat 23:38 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.
  24074. Mat 23:39 Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvika muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe.
  24075. Mat 24:1 Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
  24076. Mat 24:2 Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.
  24077. Mat 24:3 Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?
  24078. Mat 24:4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;
  24079. Mat 24:5 nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
  24080. Mat 24:6 Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvose zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
  24081. Mat 24:7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
  24082. Mat 24:8 Asi zvose izvi kutanga kwemarwadzo.
  24083. Mat 24:9 Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ose nekuda kwezita rangu.
  24084. Mat 24:10 Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
  24085. Mat 24:11 Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
  24086. Mat 24:12 Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
  24087. Mat 24:13 Asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.
  24088. Mat 24:14 Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yose chive uchapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
  24089. Mat 24:15 Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhaniyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
  24090. Mat 24:16 zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
  24091. Mat 24:17 ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
  24092. Mat 24:18 neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
  24093. Mat 24:19 Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!
  24094. Mat 24:20 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
  24095. Mat 24:21 Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvika zvino, uye kusingazovipozve.
  24096. Mat 24:22 Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.
  24097. Mat 24:23 Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
  24098. Mat 24:24 Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.
  24099. Mat 24:25 Tarirai, ndagara ndakuudzai.
  24100. Mat 24:26 Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.
  24101. Mat 24:27 Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvika kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
  24102. Mat 24:28 Nokuti pose-pose pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
  24103. Mat 24:29 Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
  24104. Mat 24:30 Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ose enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
  24105. Mat 24:31 Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvika kumigumo yawo.
  24106. Mat 24:32 Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.
  24107. Mat 24:33 Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvose, zivai kuti zvava pedo pamikova.
  24108. Mat 24:34 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvika izvozvi zvose zvaitika.
  24109. Mat 24:35 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
  24110. Mat 24:36 Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
  24111. Mat 24:37 Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
  24112. Mat 24:38 Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvika zuva Nowa raakapinda muareka,
  24113. Mat 24:39 uye vaiva vasingazivi, kusvika kwasvika mafashame avabvisa vose, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
  24114. Mat 24:40 Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
  24115. Mat 24:41 Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
  24116. Mat 24:42 Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
  24117. Mat 24:43 Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
  24118. Mat 24:44 Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
  24119. Mat 24:45 Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?
  24120. Mat 24:46 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
  24121. Mat 24:47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
  24122. Mat 24:48 Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;
  24123. Mat 24:49 ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,
  24124. Mat 24:50 ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,
  24125. Mat 24:51 akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
  24126. Mat 25:1 Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
  24127. Mat 25:2 Zvino vashanu vavo vaiva vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
  24128. Mat 25:3 Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
  24129. Mat 25:4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
  24130. Mat 25:5 Zvino muwani wakati achinonoka, vose vakatsumwaira vakarara.
  24131. Mat 25:6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
  24132. Mat 25:7 Zvino vasikana avo vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.
  24133. Mat 25:8 Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
  24134. Mat 25:9 Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
  24135. Mat 25:10 Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vaiva vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
  24136. Mat 25:11 Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!
  24137. Mat 25:12 Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
  24138. Mat 25:13 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.
  24139. Mat 25:14 Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
  24140. Mat 25:15 Uye kune umwe wakapa matarenda mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.
  24141. Mat 25:16 Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
  24142. Mat 25:17 Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.
  24143. Mat 25:18 Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
  24144. Mat 25:19 Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
  24145. Mat 25:20 Kwakauya waiva agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
  24146. Mat 25:21 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, waiva wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
  24147. Mat 25:22 Waiva agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
  24148. Mat 25:23 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, waiva wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
  24149. Mat 25:24 Asi waiva agamuchira tarenda rimwe naiye wakauyawo akati: Ishe, ndaiva ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
  24150. Mat 25:25 zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
  24151. Mat 25:26 Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, waiva uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
  24152. Mat 25:27 Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
  24153. Mat 25:28 Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.
  24154. Mat 25:29 Nokuti wose anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.
  24155. Mat 25:30 Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
  24156. Mat 25:31 Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.
  24157. Mat 25:32 Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzose; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
  24158. Mat 25:33 Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
  24159. Mat 25:34 Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
  24160. Mat 25:35 Nokuti ndaiva ndine nzara, mukandipa chekudya; ndaiva ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndaiva ndiri mweni, mukandigamuchira;
  24161. Mat 25:36 ndakashama, mukandipfekedza; ndaiva ndichirwara, mukandishanyira; ndaiva ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
  24162. Mat 25:37 Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?
  24163. Mat 25:38 Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?
  24164. Mat 25:39 Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
  24165. Mat 25:40 Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.
  24166. Mat 25:41 Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake.
  24167. Mat 25:42 Nokuti ndaiva ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndaiva ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
  24168. Mat 25:43 ndaiva ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
  24169. Mat 25:44 Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
  24170. Mat 25:45 Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.
  24171. Mat 25:46 Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.
  24172. Mat 26:1 Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ose, akati kuvadzidzi vake:
  24173. Mat 26:2 Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.
  24174. Mat 26:3 Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi.
  24175. Mat 26:4 Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.
  24176. Mat 26:5 Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.
  24177. Mat 26:6 Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,
  24178. Mat 26:7 kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya.
  24179. Mat 26:8 Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?
  24180. Mat 26:9 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.
  24181. Mat 26:10 Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri.
  24182. Mat 26:11 Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
  24183. Mat 26:12 Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.
  24184. Mat 26:13 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
  24185. Mat 26:14 Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,
  24186. Mat 26:15 akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivha makumi matatu.
  24187. Mat 26:16 Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze.
  24188. Mat 26:17 Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika?
  24189. Mat 26:18 Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu.
  24190. Mat 26:19 Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika.
  24191. Mat 26:20 Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.
  24192. Mat 26:21 Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.
  24193. Mat 26:22 Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
  24194. Mat 26:23 Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa.
  24195. Mat 26:24 Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.
  24196. Mat 26:25 Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe.
  24197. Mat 26:26 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu.
  24198. Mat 26:27 Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mose pauri.
  24199. Mat 26:28 Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi.
  24200. Mat 26:29 Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvika zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.
  24201. Mat 26:30 Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
  24202. Mat 26:31 Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.
  24203. Mat 26:32 Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea.
  24204. Mat 26:33 Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.
  24205. Mat 26:34 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
  24206. Mat 26:35 Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vose vakadaro.
  24207. Mat 26:36 Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko.
  24208. Mat 26:37 Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika.
  24209. Mat 26:38 Ipapo akati kwavari: Mweya weupenyu wangu unosuruvara kwazvo kusvika parufu; garai pano murinde neni.
  24210. Mat 26:39 Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi.
  24211. Mat 26:40 Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here?
  24212. Mat 26:41 Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.
  24213. Mat 26:42 Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.
  24214. Mat 26:43 Akauya, akavawana vararazve, nokuti meso avo aiva orema.
  24215. Mat 26:44 Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.
  24216. Mat 26:45 Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.
  24217. Mat 26:46 Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.
  24218. Mat 26:47 Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.
  24219. Mat 26:48 Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.
  24220. Mat 26:49 Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi! Akamutsvoda.
  24221. Mat 26:50 Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.
  24222. Mat 26:51 Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
  24223. Mat 26:52 Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vose vanobata munondo vanoparara nemunondo.
  24224. Mat 26:53 Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri?
  24225. Mat 26:54 Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo?
  24226. Mat 26:55 Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.
  24227. Mat 26:56 Asi izvi zvose zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.
  24228. Mat 26:57 Avo vaiva vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo paiva paungana vanyori nevakuru.
  24229. Mat 26:58 Asi Petro wakamutevera ari kure kusvika pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.
  24230. Mat 26:59 Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.
  24231. Mat 26:60 Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri,
  24232. Mat 26:61 zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.
  24233. Mat 26:62 Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?
  24234. Mat 26:63 Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari.
  24235. Mat 26:64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.
  24236. Mat 26:65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.
  24237. Mat 26:66 Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu.
  24238. Mat 26:67 Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva; vamwe vakamurova nembama,
  24239. Mat 26:68 vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova?
  24240. Mat 26:69 Petro waiva agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo waiva una Jesu weGarirea.
  24241. Mat 26:70 Asi iye wakaramba pamberi pevose achiti: Handizivi zvaunoreva.
  24242. Mat 26:71 Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo waiva ana Jesu weNazareta.
  24243. Mat 26:72 Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.
  24244. Mat 26:73 Shure kwechinguva chidiki kwakauya vaiva vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza.
  24245. Mat 26:74 Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
  24246. Mat 26:75 Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza.
  24247. Mat 27:1 Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vose nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.
  24248. Mat 27:2 Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.
  24249. Mat 27:3 Zvino Judhasi waiva amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivha makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,
  24250. Mat 27:4 achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Asi vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.
  24251. Mat 27:5 Akakanda makobiri esirivha mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.
  24252. Mat 27:6 Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivha vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa.
  24253. Mat 27:7 Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.
  24254. Mat 27:8 Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvika nhasi.
  24255. Mat 27:9 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivha makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vamwe vevana vaIsraeri wavakatarira mutengo;
  24256. Mat 27:10 vakaaripira munda wemuumbi wehari, saIshe zvaakandiraira.
  24257. Mat 27:11 Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo wevaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe.
  24258. Mat 27:12 Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.
  24259. Mat 27:13 Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here?
  24260. Mat 27:14 Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.
  24261. Mat 27:15 Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.
  24262. Mat 27:16 Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi.
  24263. Mat 27:17 Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu?
  24264. Mat 27:18 Nokuti waiva achiziva kuti vaiva vamukumikidza negodo.
  24265. Mat 27:19 Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.
  24266. Mat 27:20 Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.
  24267. Mat 27:21 Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.
  24268. Mat 27:22 Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vose vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.
  24269. Mat 27:23 Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!
  24270. Mat 27:24 Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi.
  24271. Mat 27:25 Vanhu vose ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.
  24272. Mat 27:26 Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.
  24273. Mat 27:27 Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, akaunganidza kwaari hondo yose.
  24274. Mat 27:28 Vakamukurura, vakamupfekedza nguvo tsvuku.
  24275. Mat 27:29 Vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!
  24276. Mat 27:30 Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake.
  24277. Mat 27:31 Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.
  24278. Mat 27:32 Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake.
  24279. Mat 27:33 Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,
  24280. Mat 27:34 vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa.
  24281. Mat 27:35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu.
  24282. Mat 27:36 Uye vakagara pasi, vakamurindapo.
  24283. Mat 27:37 Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.
  24284. Mat 27:38 Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.
  24285. Mat 27:39 Vaiva vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,
  24286. Mat 27:40 vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
  24287. Mat 27:41 Saizvozvowo vapristi vakuru vachimuseka nevanyori nevakuru vachiti:
  24288. Mat 27:42 Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.
  24289. Mat 27:43 Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.
  24290. Mat 27:44 Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamuseka saizvozvo.
  24291. Mat 27:45 Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yose kusvika paawa repfumbamwe.
  24292. Mat 27:46 Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: “Eri, Eri rama sabakitani?” Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
  24293. Mat 27:47 Vamwe vevaiva vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyu anodana Eria.
  24294. Mat 27:48 Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe.
  24295. Mat 27:49 Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.
  24296. Mat 27:50 Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.
  24297. Mat 27:51 Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
  24298. Mat 27:52 Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vaiva varere ikamutswa.
  24299. Mat 27:53 Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.
  24300. Mat 27:54 Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu waiva ari Mwanakomana waMwari.
  24301. Mat 27:55 Nevakadzi vazhinji vaiva varipo, vakatarira vari kure, vaiva vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
  24302. Mat 27:56 Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.
  24303. Mat 27:57 Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.
  24304. Mat 27:58 Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.
  24305. Mat 27:59 Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.
  24306. Mat 27:60 Akauradzika muguva rake idzva, raaiva achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.
  24307. Mat 27:61 Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.
  24308. Mat 27:62 Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru nevaFarisi vakaungana kuna Pirato,
  24309. Mat 27:63 vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.
  24310. Mat 27:64 Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvika zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga.
  24311. Mat 27:65 Pirato akati kwavari: Mune varindi; endai murichengete sezvamunoziva.
  24312. Mat 27:66 Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.
  24313. Mat 28:1 Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.
  24314. Mat 28:2 Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
  24315. Mat 28:3 Kuonekwa kwake kwaiva kwakaita semheni, nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.
  24316. Mat 28:4 Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.
  24317. Mat 28:5 Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu waiva arovererwa pamuchinjikwa.
  24318. Mat 28:6 Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paaiva arere.
  24319. Mat 28:7 Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.
  24320. Mat 28:8 Ndokubva vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.
  24321. Mat 28:9 Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.
  24322. Mat 28:10 Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.
  24323. Mat 28:11 Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvose zvakaitika.
  24324. Mat 28:12 Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,
  24325. Mat 28:13 vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.
  24326. Mat 28:14 Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.
  24327. Mat 28:15 Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Uye shoko iri rikaparadzirwa pakati pevaJudha kusvika nhasi.
  24328. Mat 28:16 Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira.
  24329. Mat 28:17 Vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.
  24330. Mat 28:18 Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.
  24331. Mat 28:19 Endai naizvozvo muite marudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;
  24332. Mat 28:20 muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ose kusvika pakuguma kwenyika. Ameni
  24333. Mrk 1:1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;
  24334. Mrk 1:2 sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
  24335. Mrk 1:3 Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake.
  24336. Mrk 1:4 Kwakauya Johwani achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;
  24337. Mrk 1:5 zvino kwakabudira kwaari nyika yose yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vose naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.
  24338. Mrk 1:6 Uye Johwani waiva akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.
  24339. Mrk 1:7 Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.
  24340. Mrk 1:8 Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.
  24341. Mrk 1:9 Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.
  24342. Mrk 1:10 Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake.
  24343. Mrk 1:11 Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.
  24344. Mrk 1:12 Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.
  24345. Mrk 1:13 Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye waiva ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.
  24346. Mrk 1:14 Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,
  24347. Mrk 1:15 achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.
  24348. Mrk 1:16 Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin’ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vaiva vari varedzi.
  24349. Mrk 1:17 Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.
  24350. Mrk 1:18 Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.
  24351. Mrk 1:19 Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin’ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure.
  24352. Mrk 1:20 Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.
  24353. Mrk 1:21 Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.
  24354. Mrk 1:22 Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, uye kwete sevanyori.
  24355. Mrk 1:23 Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu waiva ane mweya wetsvina, akadanidzira,
  24356. Mrk 1:24 achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
  24357. Mrk 1:25 Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!
  24358. Mrk 1:26 Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.
  24359. Mrk 1:27 Vakashamisika vose, kusvika vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera.
  24360. Mrk 1:28 Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yose yakapoteredza Garirea.
  24361. Mrk 1:29 Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani.
  24362. Mrk 1:30 Asi mai vemukadzi waSimoni vaiva varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;
  24363. Mrk 1:31 akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, ivo vakavashandira.
  24364. Mrk 1:32 Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vose vaiva vachirwara nevaiva vane madhimoni.
  24365. Mrk 1:33 Zvino guta rose raiva rakaungana pamukova.
  24366. Mrk 1:34 Akaporesa vazhinji vaiva vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva.
  24367. Mrk 1:35 Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.
  24368. Mrk 1:36 Simoni nevaiva vanaye vakamutsvakisisa.
  24369. Mrk 1:37 Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vose vanokutsvakai.
  24370. Mrk 1:38 Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira.
  24371. Mrk 1:39 Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rose, achibudisa madhimoni.
  24372. Mrk 1:40 Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.
  24373. Mrk 1:41 Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;
  24374. Mrk 1:42 achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.
  24375. Mrk 1:43 Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,
  24376. Mrk 1:44 akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.
  24377. Mrk 1:45 Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti waiva asingachagoni kupinda muguta pachena, asi waiva ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
  24378. Mrk 2:1 Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; uye zvikanzwikwa kuti ari mumba.
  24379. Mrk 2:2 Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti paiva pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.
  24380. Mrk 2:3 Vakauya kwaari, vakauisa waiva akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana.
  24381. Mrk 2:4 Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paaiva ari, vakati varidzura vakaburusira nhovo yaaiva arere pairi iye waiva akafa mitezo.
  24382. Mrk 2:5 Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune waiva akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri.
  24383. Mrk 2:6 Zvino vamwe vevanyori vaiva vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:
  24384. Mrk 2:7 Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?
  24385. Mrk 2:8 Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?
  24386. Mrk 2:9 Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore nhovo yako, ufambe?
  24387. Mrk 2:10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune waiva akafa mitezo):
  24388. Mrk 2:11 Ndinoti kwauri: Simuka utore nhovo yako, uende kumba kwako.
  24389. Mrk 2:12 Zvino pakarepo wakasimuka, akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose; zvekuti vose vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.
  24390. Mrk 2:13 Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chose chikauya kwaari, akavadzidzisa.
  24391. Mrk 2:14 Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
  24392. Mrk 2:15 Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vaiva vari vazhinji vakamutevera.
  24393. Mrk 2:16 Zvino vanyori nevaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
  24394. Mrk 2:17 Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.
  24395. Mrk 2:18 Uye vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
  24396. Mrk 2:19 Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;
  24397. Mrk 2:20 asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya.
  24398. Mrk 2:21 Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya.
  24399. Mrk 2:22 Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
  24400. Mrk 2:23 Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.
  24401. Mrk 2:24 VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?
  24402. Mrk 2:25 Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paaiva ashaiwa, ava nenzara, iye nevaiva vanaye?
  24403. Mrk 2:26 Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvaiva zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye?
  24404. Mrk 2:27 Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.
  24405. Mrk 2:28 Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
  24406. Mrk 3:1 Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwaiva kune munhuko waiva ane ruoko rwakawonyana.
  24407. Mrk 3:2 Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
  24408. Mrk 3:3 Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
  24409. Mrk 3:4 Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
  24410. Mrk 3:5 Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Ndokutandavadza; ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.
  24411. Mrk 3:6 VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana nevaHerodhi vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.
  24412. Mrk 3:7 Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,
  24413. Mrk 3:8 nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita, vakauya kwaari.
  24414. Mrk 3:9 Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
  24415. Mrk 3:10 Nokuti waiva aporesa vazhinji zvekuti vose vaiva vane zvirwere vaiwira pamusoro pake kuti vamubate.
  24416. Mrk 3:11 Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
  24417. Mrk 3:12 Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
  24418. Mrk 3:13 Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaaiva achida iye; uye vakauya kwaari.
  24419. Mrk 3:14 Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, uye kuti avatume kunoparidza,
  24420. Mrk 3:15 uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
  24421. Mrk 3:16 NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,
  24422. Mrk 3:17 naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin’ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
  24423. Mrk 3:18 naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
  24424. Mrk 3:19 naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.
  24425. Mrk 3:20 Chaunga chikaunganazve zvekuti vaiva vasingagoni kunyange kudya chingwa.
  24426. Mrk 3:21 Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.
  24427. Mrk 3:22 Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
  24428. Mrk 3:23 Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?
  24429. Mrk 3:24 Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.
  24430. Mrk 3:25 Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.
  24431. Mrk 3:26 Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.
  24432. Mrk 3:27 Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.
  24433. Mrk 3:28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kose kwavanonyomba nako;
  24434. Mrk 3:29 asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvika narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi.
  24435. Mrk 3:30 Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.
  24436. Mrk 3:31 Zvino kwakauya vanin’ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
  24437. Mrk 3:32 Chaunga chaiva chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin’ina venyu vari panze vanokutsvakai.
  24438. Mrk 3:33 Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani, kana vanin’ina vangu?
  24439. Mrk 3:34 Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vaiva vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin’ina vangu.
  24440. Mrk 3:35 Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin’ina wangu nehanzvadzi yangu namai.
  24441. Mrk 4:1 Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chose chaiva chiri pagungwa panyika.
  24442. Mrk 4:2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:
  24443. Mrk 4:3 Inzwai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
  24444. Mrk 4:4 Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.
  24445. Mrk 4:5 Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payaiva isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yaiva isina udziku hwevhu;
  24446. Mrk 4:6 asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yaiva isina mudzi, yakasvava.
  24447. Mrk 4:7 Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.
  24448. Mrk 4:8 Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera; ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.
  24449. Mrk 4:9 Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  24450. Mrk 4:10 Zvino wakati ava oga, vaiva vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.
  24451. Mrk 4:11 Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo;
  24452. Mrk 4:12 kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi.
  24453. Mrk 4:13 Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yose?
  24454. Mrk 4:14 Mukushi unokusha shoko.
  24455. Mrk 4:15 Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.
  24456. Mrk 4:16 Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,
  24457. Mrk 4:17 asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
  24458. Mrk 4:18 Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko,
  24459. Mrk 4:19 asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.
  24460. Mrk 4:20 Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.
  24461. Mrk 4:21 Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?
  24462. Mrk 4:22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi; uye hapana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.
  24463. Mrk 4:23 Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  24464. Mrk 4:24 Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
  24465. Mrk 4:25 Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho.
  24466. Mrk 4:26 Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu.
  24467. Mrk 4:27 Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.
  24468. Mrk 4:28 Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
  24469. Mrk 4:29 Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko, nokuti kukohwa kwasvika.
  24470. Mrk 4:30 Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?
  24471. Mrk 4:31 Setsanga yemasitadha, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzose dzepanyika;
  24472. Mrk 4:32 asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yose, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo.
  24473. Mrk 4:33 Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.
  24474. Mrk 4:34 Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvose.
  24475. Mrk 4:35 Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.
  24476. Mrk 4:36 Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.
  24477. Mrk 4:37 Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chaiva zvino chozadzwa.
  24478. Mrk 4:38 Asi iye waiva ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?
  24479. Mrk 4:39 Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.
  24480. Mrk 4:40 Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?
  24481. Mrk 4:41 Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?
  24482. Mrk 5:1 Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yevaGadharini.
  24483. Mrk 5:2 Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
  24484. Mrk 5:3 uyo waiva ane ugaro kumarinda, uye kwaiva kusina waiva achigona kumusunga kunyange nemaketani,
  24485. Mrk 5:4 nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwaiva kusina waigona kumupingudza.
  24486. Mrk 5:5 Zvino nguva dzose, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
  24487. Mrk 5:6 Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
  24488. Mrk 5:7 akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
  24489. Mrk 5:8 Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
  24490. Mrk 5:9 Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.
  24491. Mrk 5:10 Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
  24492. Mrk 5:11 Zvino kwaiva kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
  24493. Mrk 5:12 Nemadhimoni ose akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.
  24494. Mrk 5:13 Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
  24495. Mrk 5:14 Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
  24496. Mrk 5:15 Vakasvika kuna Jesu, vakaona waiva ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
  24497. Mrk 5:16 Uye avo vaiva vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune waiva ane madhimoni nepamusoro penguruve.
  24498. Mrk 5:17 Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
  24499. Mrk 5:18 Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
  24500. Mrk 5:19 Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
  24501. Mrk 5:20 Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vose vakashamisika.
  24502. Mrk 5:21 Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye waiva ava parutivi rwegungwa.
  24503. Mrk 5:22 Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
  24504. Mrk 5:23 Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.
  24505. Mrk 5:24 Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
  24506. Mrk 5:25 Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
  24507. Mrk 5:26 waiva atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, waiva apedza zvose zvaaiva anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
  24508. Mrk 5:27 wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
  24509. Mrk 5:28 Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
  24510. Mrk 5:29 Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
  24511. Mrk 5:30 Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
  24512. Mrk 5:31 Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
  24513. Mrk 5:32 Zvino wakaringa-ringa kuona uyo waiva aita ichi.
  24514. Mrk 5:33 Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvaiva zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chose.
  24515. Mrk 5:34 Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.
  24516. Mrk 5:35 Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?
  24517. Mrk 5:36 Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
  24518. Mrk 5:37 Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin’ina waJakobho.
  24519. Mrk 5:38 Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
  24520. Mrk 5:39 Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.
  24521. Mrk 5:40 Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vose panze, akatora baba vemwana namai nevaiva vanaye, akapinda maiva murere mwana.
  24522. Mrk 5:41 Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: “Tarita kumi”; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.
  24523. Mrk 5:42 Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
  24524. Mrk 5:43 Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.
  24525. Mrk 6:1 Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.
  24526. Mrk 6:2 Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Izvi zvinobvepi kwaari? Uye injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?
  24527. Mrk 6:3 Uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.
  24528. Mrk 6:4 Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama, nemumba make.
  24529. Mrk 6:5 Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.
  24530. Mrk 6:6 Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.
  24531. Mrk 6:7 Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
  24532. Mrk 6:8 Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.
  24533. Mrk 6:9 Asi vapfeke manyatera, varege kupfeka nguvo refu mbiri.
  24534. Mrk 6:10 Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo kusvika muchibvapo.
  24535. Mrk 6:11 Asi vose vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.
  24536. Mrk 6:12 Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke;
  24537. Mrk 6:13 zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.
  24538. Mrk 6:14 Mambo Herodhi ndokuzvinzwa, nokuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani anobhabhatidza akamutswa kubva kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.
  24539. Mrk 6:15 Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.
  24540. Mrk 6:16 Asi Herodhi wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kubva kuvakafa.
  24541. Mrk 6:17 Nokuti Herodhi pachake waiva atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin’ina wake; nokuti Herodhi waiva amuwana.
  24542. Mrk 6:18 Nokuti Johwani waiva ati kuna Herodhi: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin’ina wako.
  24543. Mrk 6:19 Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;
  24544. Mrk 6:20 nokuti Herodhi aitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa akaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.
  24545. Mrk 6:21 Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,
  24546. Mrk 6:22 zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhi nevaiva vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndigokupa.
  24547. Mrk 6:23 Zvino akamupikira achiti: Chero chipi chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvika pahafu yeushe hwangu.
  24548. Mrk 6:24 Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
  24549. Mrk 6:25 Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
  24550. Mrk 6:26 Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevaiva vagere naye pakudya, waiva asingadi kumurambira.
  24551. Mrk 6:27 Pakarepo mambo akatuma muurai, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,
  24552. Mrk 6:28 akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.
  24553. Mrk 6:29 Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.
  24554. Mrk 6:30 Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose, nezvavaiva vaita, nezvavaiva vadzidzisa.
  24555. Mrk 6:31 Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nokuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.
  24556. Mrk 6:32 Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.
  24557. Mrk 6:33 Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwe chete netsoka vachibva pamaguta ose, vakavatangira, vakasangana kwaari.
  24558. Mrk 6:34 Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, ndokuvanzwira tsitsi, nokuti vaiva vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
  24559. Mrk 6:35 Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;
  24560. Mrk 6:36 varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa; nokuti havana chavangadya.
  24561. Mrk 6:37 Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenario mazana maviri, tivape vadye?
  24562. Mrk 6:38 Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
  24563. Mrk 6:39 Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.
  24564. Mrk 6:40 Zvino vakagara pasi nemapoka-mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.
  24565. Mrk 6:41 Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vose.
  24566. Mrk 6:42 Zvino vakadya vose, vakaguta.
  24567. Mrk 6:43 Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.
  24568. Mrk 6:44 Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.
  24569. Mrk 6:45 Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.
  24570. Mrk 6:46 Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.
  24571. Mrk 6:47 Zvino ava madekwani chikepe chaiva chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
  24572. Mrk 6:48 Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nokuti mhepo yaiva ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.
  24573. Mrk 6:49 Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti chipoko, vakaridza mhere.
  24574. Mrk 6:50 Nokuti vose vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
  24575. Mrk 6:51 Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki, vakashamisika.
  24576. Mrk 6:52 Nokuti vaiva vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo waiva uri mukukutu.
  24577. Mrk 6:53 Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.
  24578. Mrk 6:54 Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,
  24579. Mrk 6:55 vakamhanyira munharaunda iyo yose yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara panhovo, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.
  24580. Mrk 6:56 Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo yake chete; uye vose vakamubata vakaponeswa.
  24581. Mrk 7:1 Zvino kwakaunganira kwaari vaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
  24582. Mrk 7:2 vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
  24583. Mrk 7:3 Nokuti vaFarisi nevaJudha vose havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
  24584. Mrk 7:4 Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavaiva vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
  24585. Mrk 7:5 Ipapo vaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
  24586. Mrk 7:6 Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
  24587. Mrk 7:7 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu.
  24588. Mrk 7:8 Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
  24589. Mrk 7:9 Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
  24590. Mrk 7:10 Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
  24591. Mrk 7:11 Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni “iKorbani”, ndokuti chipo kuna Mwari;
  24592. Mrk 7:12 hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu;
  24593. Mrk 7:13 muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
  24594. Mrk 7:14 Zvino wakati adanira kwaari chaunga chose akati kwavari: Nditeererei mose, munzwisise.
  24595. Mrk 7:15 Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
  24596. Mrk 7:16 Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  24597. Mrk 7:17 Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
  24598. Mrk 7:18 Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chose chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
  24599. Mrk 7:19 Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kose.
  24600. Mrk 7:20 Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
  24601. Mrk 7:21 Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
  24602. Mrk 7:22 umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
  24603. Mrk 7:23 zvose zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
  24604. Mrk 7:24 Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
  24605. Mrk 7:25 Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki aiva ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
  24606. Mrk 7:26 Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
  24607. Mrk 7:27 Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
  24608. Mrk 7:28 Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
  24609. Mrk 7:29 Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.
  24610. Mrk 7:30 Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, uye mukunda arere panhovo.
  24611. Mrk 7:31 Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
  24612. Mrk 7:32 Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
  24613. Mrk 7:33 Akamutora ari oga kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
  24614. Mrk 7:34 Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: “Efata”; ndiko kuti: Zarurwa!
  24615. Mrk 7:35 Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
  24616. Mrk 7:36 Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
  24617. Mrk 7:37 Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.
  24618. Mrk 8:1 Nemazuva iwayo zvakwaiva kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
  24619. Mrk 8:2 Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu uye vasina zvavangadya.
  24620. Mrk 8:3 Kana ndikavarega vaende kumba kwavo vasina kudya, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.
  24621. Mrk 8:4 Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
  24622. Mrk 8:5 Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
  24623. Mrk 8:6 Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
  24624. Mrk 8:7 Uye vaiva vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.
  24625. Mrk 8:8 Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
  24626. Mrk 8:9 Avo vaiva vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
  24627. Mrk 8:10 Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
  24628. Mrk 8:11 Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
  24629. Mrk 8:12 Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
  24630. Mrk 8:13 Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
  24631. Mrk 8:14 Zvino vadzidzi vaiva vakanganwa kutora zvingwa; uye vaiva vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
  24632. Mrk 8:15 Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.
  24633. Mrk 8:16 Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.
  24634. Mrk 8:17 Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?
  24635. Mrk 8:18 Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
  24636. Mrk 8:19 Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
  24637. Mrk 8:20 Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.
  24638. Mrk 8:21 Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?
  24639. Mrk 8:22 Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
  24640. Mrk 8:23 Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
  24641. Mrk 8:24 Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.
  24642. Mrk 8:25 Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro; uye rikaporeswa, rikaona vose zvakajeka.
  24643. Mrk 8:26 Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
  24644. Mrk 8:27 Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi. Vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
  24645. Mrk 8:28 Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
  24646. Mrk 8:29 Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
  24647. Mrk 8:30 Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
  24648. Mrk 8:31 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.
  24649. Mrk 8:32 Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
  24650. Mrk 8:33 Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
  24651. Mrk 8:34 Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
  24652. Mrk 8:35 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.
  24653. Mrk 8:36 Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yose, akarasikirwa nemweya weupenyu wake?
  24654. Mrk 8:37 Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya weupenyu wake?
  24655. Mrk 8:38 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake pamwe nevatumwa vatsvene.
  24656. Mrk 9:1 Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvika vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.
  24657. Mrk 9:2 Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro naJakobho naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari voga; akashandurwa chimiro pamberi pavo.
  24658. Mrk 9:3 Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika angagona kuzvichenesa zvikadaro.
  24659. Mrk 9:4 Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.
  24660. Mrk 9:5 Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi, zvakanaka kuti tiri pano; uye ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.
  24661. Mrk 9:6 Nokuti waiva asingazivi chekutaura; nokuti vaitya zvikuru.
  24662. Mrk 9:7 Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, inzwai iye.
  24663. Mrk 9:8 Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochiona munhu, asi Jesu chete anavo.
  24664. Mrk 9:9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavaiva vaona, kusvika Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.
  24665. Mrk 9:10 Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.
  24666. Mrk 9:11 Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria anofanira kutanga kuuya?
  24667. Mrk 9:12 Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo anotanga kuuya, avandudze zvinhu zvose; kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti achatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?
  24668. Mrk 9:13 Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.
  24669. Mrk 9:14 Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.
  24670. Mrk 9:15 Pakarepo chaunga chose chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, ndokumumhanyira, chikamukwazisa.
  24671. Mrk 9:16 Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?
  24672. Mrk 9:17 Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauisa kwamuri mwanakomana wangu, ane mweya wechimumumu;
  24673. Mrk 9:18 pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye anooma; zvino ndakataura kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, uye vakasagona.
  24674. Mrk 9:19 Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvika rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvika rinhi? Muuyisei kwandiri.
  24675. Mrk 9:20 Vakamuuisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.
  24676. Mrk 9:21 Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.
  24677. Mrk 9:22 Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.
  24678. Mrk 9:23 Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.
  24679. Mrk 9:24 Uye pakarepo baba vemwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.
  24680. Mrk 9:25 Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, uye urege kupindazve maari.
  24681. Mrk 9:26 Zvino mweya ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nekudaro vazhinji vakati: Wafa.
  24682. Mrk 9:27 Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.
  24683. Mrk 9:28 Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti: Sei isu taiva tisingagoni kuubudisa?
  24684. Mrk 9:29 Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.
  24685. Mrk 9:30 Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, uye aiva asingadi kuti chero ani azvizive.
  24686. Mrk 9:31 Nokuti aidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa achamuka nezuva retatu.
  24687. Mrk 9:32 Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.
  24688. Mrk 9:33 Zvino wakasvika muKapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?
  24689. Mrk 9:34 Asi vakanyarara, nokuti munzira vaiva vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.
  24690. Mrk 9:35 Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, achava wekupedzisira kune vose nemushandi wevose.
  24691. Mrk 9:36 Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:
  24692. Mrk 9:37 Ani nani anogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, anogamuchira ini; uye ani nani anogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.
  24693. Mrk 9:38 Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.
  24694. Mrk 9:39 Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba muzita rangu, anogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.
  24695. Mrk 9:40 Nokuti asingapikisani nesu, ndewedu.
  24696. Mrk 9:41 Nokuti ani nani anokupai mukombe wemvura kuti munwe muzita rangu, nokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborasikirwi nemubairo wake.
  24697. Mrk 9:42 Uye ani nani anogumbusa umwe wevadiki ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.
  24698. Mrk 9:43 Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,
  24699. Mrk 9:44 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
  24700. Mrk 9:45 Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki,
  24701. Mrk 9:46 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
  24702. Mrk 9:47 Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,
  24703. Mrk 9:48 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
  24704. Mrk 9:49 Nokuti wose acharungwa nemoto uye chibairo chose chicharungwa nemunyu.
  24705. Mrk 9:50 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.
  24706. Mrk 10:1 Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaaiva ajaira, akavadzidzisa zvekare.
  24707. Mrk 10:2 VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.
  24708. Mrk 10:3 Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?
  24709. Mrk 10:4 Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.
  24710. Mrk 10:5 Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu wakakunyorerai murairo uyu.
  24711. Mrk 10:6 Asi kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari wakavaita murume nemukadzi.
  24712. Mrk 10:7 Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
  24713. Mrk 10:8 zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
  24714. Mrk 10:9 Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.
  24715. Mrk 10:10 Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.
  24716. Mrk 10:11 Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.
  24717. Mrk 10:12 Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.
  24718. Mrk 10:13 Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.
  24719. Mrk 10:14 Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.
  24720. Mrk 10:15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
  24721. Mrk 10:16 Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
  24722. Mrk 10:17 Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
  24723. Mrk 10:18 Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.
  24724. Mrk 10:19 Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.
  24725. Mrk 10:20 Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
  24726. Mrk 10:21 Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.
  24727. Mrk 10:22 Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti waiva ane nhumbi zhinji.
  24728. Mrk 10:23 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!
  24729. Mrk 10:24 Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari.
  24730. Mrk 10:25 Zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.
  24731. Mrk 10:26 Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?
  24732. Mrk 10:27 Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.
  24733. Mrk 10:28 Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose tikakuteverai.
  24734. Mrk 10:29 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin’ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,
  24735. Mrk 10:30 asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin’ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.
  24736. Mrk 10:31 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.
  24737. Mrk 10:32 Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvaiva zvichizoitika kwaari,
  24738. Mrk 10:33 achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,
  24739. Mrk 10:34 vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.
  24740. Mrk 10:35 Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.
  24741. Mrk 10:36 Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
  24742. Mrk 10:37 Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.
  24743. Mrk 10:38 Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?
  24744. Mrk 10:39 Vakati kwaari: Tingagona. Jesu ndokuti kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
  24745. Mrk 10:40 asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.
  24746. Mrk 10:41 Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
  24747. Mrk 10:42 Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.
  24748. Mrk 10:43 Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;
  24749. Mrk 10:44 uye ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevose.
  24750. Mrk 10:45 Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.
  24751. Mrk 10:46 Vakasvika kuJeriko. Zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimeo bofu, mwanakomana waTimeo, aiva agere padivi penzira achipemha.
  24752. Mrk 10:47 Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
  24753. Mrk 10:48 Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
  24754. Mrk 10:49 Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.
  24755. Mrk 10:50 Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.
  24756. Mrk 10:51 Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni, kuti ndionezve.
  24757. Mrk 10:52 Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.
  24758. Mrk 11:1 Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
  24759. Mrk 11:2 akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.
  24760. Mrk 11:3 Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe anorida. Pakarepo acharitumira pano.
  24761. Mrk 11:4 Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.
  24762. Mrk 11:5 Vamwe vevaiva vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?
  24763. Mrk 11:6 Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachienda.
  24764. Mrk 11:7 Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.
  24765. Mrk 11:8 Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu kubva pamiti vakawarira munzira.
  24766. Mrk 11:9 Zvino avo vaiva vachitungamira nevaiva vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe;
  24767. Mrk 11:10 hwakaropafadzwa ushe hwababa vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
  24768. Mrk 11:11 Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, yava nguva yemadekwani, akabuda akaenda kuBhetaniya nevanegumi nevaviri.
  24769. Mrk 11:12 Uye mangwana vachibuda kubva Bhetaniya, akanzwa nzara.
  24770. Mrk 11:13 Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nokuti yaiva isiri nguva yemaonde.
  24771. Mrk 11:14 Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu anozodyazve zvibereko pauri kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.
  24772. Mrk 11:15 Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.
  24773. Mrk 11:16 Zvino akasatendera kuti munhu atakure nhumbi achipfuura nemutembere.
  24774. Mrk 11:17 Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera nemarudzi ose? Asi imwi makaiita bako remakororo.
  24775. Mrk 11:18 Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vaiva vachimutya, nokuti chaunga chose chakashamisika nedzidziso yake.
  24776. Mrk 11:19 Zvino ava madekwani, wakabuda kunze kweguta.
  24777. Mrk 11:20 Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.
  24778. Mrk 11:21 Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.
  24779. Mrk 11:22 Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.
  24780. Mrk 11:23 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani anoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, uye asiri asina chokwadi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.
  24781. Mrk 11:24 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.
  24782. Mrk 11:25 Kana mumire muchinyengetera, kanganwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyu vari kumatenga vakukanganwireiwo kudarika kwenyu.
  24783. Mrk 11:26 Asi kana imwi musingakanganwiri, Baba venyu vari kumatenga havakanganwiriwo kudarika kwenyu.
  24784. Mrk 11:27 Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,
  24785. Mrk 11:28 zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Kana ndiani wakakupa simba iri, kuti unoita zvinhu izvi?
  24786. Mrk 11:29 Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nesimba ripi.
  24787. Mrk 11:30 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga kana kuvanhu? Ndipindurei.
  24788. Mrk 11:31 Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Makagoregerei kumutenda?
  24789. Mrk 11:32 Asi kana tikati: Kuvanhu; vaiva vachitya vanhu; nokuti vose vaiva vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.
  24790. Mrk 11:33 Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
  24791. Mrk 12:1 Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, [achiti]: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa kuvarimi, ndokuenda parwendo.
  24792. Mrk 12:2 Nenguva yakafanira, wakatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvechibereko chemunda wemizambiringa.
  24793. Mrk 12:3 Vakamubata vakarova, vakamuendesa asina chinhu.
  24794. Mrk 12:4 Akatumazve kwavari umwe muranda; uyu vakamuposhera mabwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamuendesa anyadziswa.
  24795. Mrk 12:5 Zvino wakatumazve umwe; uyu vakamuurayawo; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.
  24796. Mrk 12:6 Naizvozvo waiva achine mwanakomana umwe mudikanwi wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.
  24797. Mrk 12:7 Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.
  24798. Mrk 12:8 Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.
  24799. Mrk 12:9 Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achaitei? Achauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.
  24800. Mrk 12:10 Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu rwunoti: Ibwe vavaki ravakarasa, ndiro rava musoro wekona;
  24801. Mrk 12:11 izvi zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?
  24802. Mrk 12:12 Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti waiva ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.
  24803. Mrk 12:13 Vakati vatuma kwaari vamwe vevaFarisi nevevaHerodhi, kuti vamubate pakutaura.
  24804. Mrk 12:14 Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye hamuna hanya nemunhu; nokuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi. Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?
  24805. Mrk 12:15 Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenario, kuti ndione.
  24806. Mrk 12:16 Vakariuisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.
  24807. Mrk 12:17 Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.
  24808. Mrk 12:18 Zvino kwakauya kwaari vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza vachiti:
  24809. Mrk 12:19 Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin’ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.
  24810. Mrk 12:20 Zvino kwaiva kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.
  24811. Mrk 12:21 Wechipiri akamutora, akafa, iyewo akasasiya mbeu; newechitatu saizvozvo.
  24812. Mrk 12:22 Nevanomwe vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevose mukadzi akafawo.
  24813. Mrk 12:23 Naizvozvo pakumuka, kana vachimuka, achava mukadzi wani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.
  24814. Mrk 12:24 Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurasika here neizvozvi, nokuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?
  24815. Mrk 12:25 Nokuti kana vachimuka kubva kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita sevatumwa vari kumatenga.
  24816. Mrk 12:26 Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi reminzwa, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
  24817. Mrk 12:27 Haasi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marasika kwazvo.
  24818. Mrk 12:28 Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti waiva avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yose?
  24819. Mrk 12:29 Jesu akamupindura, achiti: Wekutanga kumirairo yose ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!
  24820. Mrk 12:30 Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nemweya weupenyu wako wose, uye nepfungwa dzako dzose, uye nesimba rako rose. Uyu murairo wekutanga.
  24821. Mrk 12:31 Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyi.
  24822. Mrk 12:32 Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;
  24823. Mrk 12:33 nekumuda nemoyo wose, uye nepfungwa dzose, uye nemweya weupenyu wose, uye nesimba rose, nekuda wekwako sezvaunozvida, zvinopfuura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibairo.
  24824. Mrk 12:34 Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasazova nemunhu wakatsunga kumubvunza.
  24825. Mrk 12:35 Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
  24826. Mrk 12:36 Nokuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
  24827. Mrk 12:37 Naizvozvo Dhavhidhi amene anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.
  24828. Mrk 12:38 Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,
  24829. Mrk 12:39 nezvigaro zvemberi mumasinagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;
  24830. Mrk 12:40 vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kuraswa kukuru kwazvo.
  24831. Mrk 12:41 Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vaiva vachikanda zvizhinji.
  24832. Mrk 12:42 Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri, ndiro kobiri.
  24833. Mrk 12:43 Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vose vakanda muchivigiro chezvipo;
  24834. Mrk 12:44 nokuti vose vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zveupenyu hwake.
  24835. Mrk 13:1 Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
  24836. Mrk 13:2 Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.
  24837. Mrk 13:3 Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
  24838. Mrk 13:4 Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvose zvozadziswa?
  24839. Mrk 13:5 Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.
  24840. Mrk 13:6 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.
  24841. Mrk 13:7 Asi kana muchinzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
  24842. Mrk 13:8 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
  24843. Mrk 13:9 Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
  24844. Mrk 13:10 Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ose.
  24845. Mrk 13:11 Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira; asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
  24846. Mrk 13:12 Zvino mukoma achatengesera munin’ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;
  24847. Mrk 13:13 uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.
  24848. Mrk 13:14 Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhaniyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
  24849. Mrk 13:15 neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
  24850. Mrk 13:16 Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
  24851. Mrk 13:17 Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!
  24852. Mrk 13:18 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
  24853. Mrk 13:19 Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika, kusvika zvino, uye hakuchatongovipo.
  24854. Mrk 13:20 Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
  24855. Mrk 13:21 Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;
  24856. Mrk 13:22 nokuti vana kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
  24857. Mrk 13:23 Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvose.
  24858. Mrk 13:24 Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
  24859. Mrk 13:25 nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
  24860. Mrk 13:26 Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya.
  24861. Mrk 13:27 Ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvika kumugumo wedenga.
  24862. Mrk 13:28 Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
  24863. Mrk 13:29 Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti hwava pedo hwava pamukova.
  24864. Mrk 13:30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvika zvinhu izvi zvose zvaitika.
  24865. Mrk 13:31 Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
  24866. Mrk 13:32 Asi zvezuva iro neawa hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
  24867. Mrk 13:33 Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.
  24868. Mrk 13:34 Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
  24869. Mrk 13:35 Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
  24870. Mrk 13:36 kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai murere.
  24871. Mrk 13:37 Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vose: Rindai.
  24872. Mrk 14:1 Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nemutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei nekunyengera vamuuraye.
  24873. Mrk 14:2 Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.
  24874. Mrk 14:3 Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wemaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri chechizoro chenaridho chaiyo chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.
  24875. Mrk 14:4 Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?
  24876. Mrk 14:5 Nokuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenario anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsiura nehasha.
  24877. Mrk 14:6 Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Waitira ini basa rakanaka.
  24878. Mrk 14:7 Nokuti varombo munavo nguva dzose, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose.
  24879. Mrk 14:8 Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
  24880. Mrk 14:9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose-kose kuchaparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
  24881. Mrk 14:10 Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvapristi vakuru, kuti amutengese kwavari.
  24882. Mrk 14:11 Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakafanira.
  24883. Mrk 14:12 Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?
  24884. Mrk 14:13 Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, zvino munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,
  24885. Mrk 14:14 uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?
  24886. Mrk 14:15 Uye iye achakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.
  24887. Mrk 14:16 Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaaiva areva kwavari; vakagadzirira pasika.
  24888. Mrk 14:17 Kuzoti ava madekwani wakasvika nevanegumi nevaviri.
  24889. Mrk 14:18 Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu anodya neni achanditengesa.
  24890. Mrk 14:19 Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Neumwe: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
  24891. Mrk 14:20 Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, anoseva neni mundiro.
  24892. Mrk 14:21 Mwanakomana wemunhu anoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.
  24893. Mrk 14:22 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
  24894. Mrk 14:23 Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakanwa vose pauri.
  24895. Mrk 14:24 Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.
  24896. Mrk 14:25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvika zuva iro randichazochinwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.
  24897. Mrk 14:26 Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
  24898. Mrk 14:27 Zvino Jesu akati kwavari: Mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
  24899. Mrk 14:28 Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai kuenda kuGarirea.
  24900. Mrk 14:29 Asi Petro wakati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, asi kwete ini.
  24901. Mrk 14:30 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
  24902. Mrk 14:31 Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevosewo vakadaro.
  24903. Mrk 14:32 Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichinonyengetera.
  24904. Mrk 14:33 Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.
  24905. Mrk 14:34 Akati kwavari: Mweya weupenyu wangu unoshungurudzika kwazvo kusvika pakufa; garai pano murinde.
  24906. Mrk 14:35 Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.
  24907. Mrk 14:36 Zvino akati: Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.
  24908. Mrk 14:37 Zvino akasvika, akavawana varere; akati kuna Petro: Simoni, urere here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?
  24909. Mrk 14:38 Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.
  24910. Mrk 14:39 Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mamwechete.
  24911. Mrk 14:40 Zvino paakadzoka, akavawana vararazve, nokuti meso avo aiva orema; vakasaziva zvavangamupindura.
  24912. Mrk 14:41 Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai murere zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.
  24913. Mrk 14:42 Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.
  24914. Mrk 14:43 Pakarepo achataura, Judhasi wakasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.
  24915. Mrk 14:44 Zvino iye wakamutengesa waiva avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.
  24916. Mrk 14:45 Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi! Rabhi! Akamutsvoda.
  24917. Mrk 14:46 Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata.
  24918. Mrk 14:47 Zvino umwe wevaiva vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
  24919. Mrk 14:48 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?
  24920. Mrk 14:49 Ndaiva ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.
  24921. Mrk 14:50 Vose ndokumusiya vakatiza.
  24922. Mrk 14:51 Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;
  24923. Mrk 14:52 ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama.
  24924. Mrk 14:53 Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vose nevakuru nevanyori.
  24925. Mrk 14:54 Petro akamutevera ari kure kusvika mukati mechivanze chemupristi mukuru; aiva agere pamwe nevaranda, achidziya moto.
  24926. Mrk 14:55 Zvino vapristi vakuru nedare rose remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.
  24927. Mrk 14:56 Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.
  24928. Mrk 14:57 Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:
  24929. Mrk 14:58 Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.
  24930. Mrk 14:59 Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.
  24931. Mrk 14:60 Zvino mupristi mukuru wakasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?
  24932. Mrk 14:61 Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana weWakaropafadzwa here?
  24933. Mrk 14:62 Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.
  24934. Mrk 14:63 Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu?
  24935. Mrk 14:64 Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vose vakamurasa kuti ave nemhosva yerufu.
  24936. Mrk 14:65 Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nokuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko.
  24937. Mrk 14:66 Zvino Petro achiri pachivanze pasi, kwakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;
  24938. Mrk 14:67 achiona Petro achidziya moto, akamutarira akati: Iwewo waiva una Jesu weNazareta.
  24939. Mrk 14:68 Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.
  24940. Mrk 14:69 Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vaiva vamirepo: Uyu ndewavo.
  24941. Mrk 14:70 Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vaiva vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri umwe wavo, nokuti newe uri muGarirea, nemutauro wako unotenderana nazvo.
  24942. Mrk 14:71 Akatanga kutuka nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
  24943. Mrk 14:72 Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raaiva areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.
  24944. Mrk 15:1 Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rose, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
  24945. Mrk 15:2 Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
  24946. Mrk 15:3 Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
  24947. Mrk 15:4 Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
  24948. Mrk 15:5 Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
  24949. Mrk 15:6 Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
  24950. Mrk 15:7 Zvino kwaiva kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevaiva vamutsa mhirizhonga naye, vaiva vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
  24951. Mrk 15:8 Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
  24952. Mrk 15:9 Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?
  24953. Mrk 15:10 Nokuti waiva achiziva kuti vapristi vakuru vaiva vamutengesa negodo.
  24954. Mrk 15:11 Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
  24955. Mrk 15:12 Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo wevaJudha?
  24956. Mrk 15:13 Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
  24957. Mrk 15:14 Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!
  24958. Mrk 15:15 Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
  24959. Mrk 15:16 Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yose pamwe;
  24960. Mrk 15:17 vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.
  24961. Mrk 15:18 Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!
  24962. Mrk 15:19 Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
  24963. Mrk 15:20 Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.
  24964. Mrk 15:21 Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
  24965. Mrk 15:22 Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
  24966. Mrk 15:23 Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.
  24967. Mrk 15:24 Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.
  24968. Mrk 15:25 Raiva rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
  24969. Mrk 15:26 Nerugwaro rwemhosva yake rwaiva rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
  24970. Mrk 15:27 Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
  24971. Mrk 15:28 Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
  24972. Mrk 15:29 Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
  24973. Mrk 15:30 zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
  24974. Mrk 15:31 Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.
  24975. Mrk 15:32 Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevaiva varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
  24976. Mrk 15:33 Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yose kusvika paawa repfumbamwe.
  24977. Mrk 15:34 Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: “Eroi, Eroi, rama sabhakitani!” Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
  24978. Mrk 15:35 Vamwe vevaiva vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.
  24979. Mrk 15:36 Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
  24980. Mrk 15:37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
  24981. Mrk 15:38 Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvika pasi.
  24982. Mrk 15:39 Zvino mukuru wezana waiva amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
  24983. Mrk 15:40 Uye kwaiva kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo paiva pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki nevaJose, naSarome,
  24984. Mrk 15:41 (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vaiva vakwira kuJerusarema naye.
  24985. Mrk 15:42 Zvino atova manheru, zvaraiva riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
  24986. Mrk 15:43 Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, waiva akamirirawo pachake ushe hwaMwari, wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
  24987. Mrk 15:44 Pirato akashamisika nokuti waiva atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana aiva ava nenguva afa.
  24988. Mrk 15:45 Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
  24989. Mrk 15:46 Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva raiva rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
  24990. Mrk 15:47 Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.
  24991. Mrk 16:1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini naMaria [mai] vaJakobho naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vauye kunomuzodza.
  24992. Mrk 16:2 Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wekutanga wevhiki vakauya kuguva, zuva robuda.
  24993. Mrk 16:3 Vakati pakati pavo: Ndiani achatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?
  24994. Mrk 16:4 Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe raiva rakunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
  24995. Mrk 16:5 Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya raiva rigere kurudyi, rakapfeka nguvo refu chena; vakavhunduka.
  24996. Mrk 16:6 Asi rakati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavaiva vamuradzika.
  24997. Mrk 16:7 Asi endai, munoudza vadzidzi vake naPetro kuti anokutungamirirai kuGarirea; muchanomuonako sezvaakakuudzai.
  24998. Mrk 16:8 Zvino vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vaiva vachitya.
  24999. Mrk 16:9 Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newekutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.
  25000. Mrk 16:10 Uyo akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.
  25001. Mrk 16:11 Neava vanzwa kuti mupenyu, uye kuti waiva aonekwa naye, havana kutenda.
  25002. Mrk 16:12 Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
  25003. Mrk 16:13 Zvino avawo vakaenda vakaudza vaiva vasara; naavo vakasavatenda.
  25004. Mrk 16:14 Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akatsiura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vaiva vamuona amuka.
  25005. Mrk 16:15 Akati kwavari: Endai munyika yose muparidze evhangeri kuchisikwa choga-choga.
  25006. Mrk 16:16 Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva.
  25007. Mrk 16:17 Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni; vachataura nendimi itsva;
  25008. Mrk 16:18 vachanonga nyoka; kunyange vakanwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.
  25009. Mrk 16:19 Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.
  25010. Mrk 16:20 Avo vakabuda, vakaparidza kose-kose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Ameni
  25011. Luk 1:1 Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,
  25012. Luk 1:2 sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
  25013. Luk 1:3 zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,
  25014. Luk 1:4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
  25015. Luk 1:5 Kwaivapo nemazuva aHerodhi mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
  25016. Luk 1:6 Uye vari vaviri vaiva vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yose nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
  25017. Luk 1:7 Uye vaiva vasina mwana, nokuti Erizabheti waiva ari mhanje, uye vaiva vaenda pamakore vari vaviri.
  25018. Luk 1:8 Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
  25019. Luk 1:9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.
  25020. Luk 1:10 Zvino chaunga chose chevanhu chaiva chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  25021. Luk 1:11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
  25022. Luk 1:12 Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, uye kutya kukamuwira.
  25023. Luk 1:13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
  25024. Luk 1:14 Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
  25025. Luk 1:15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
  25026. Luk 1:16 Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
  25027. Luk 1:17 uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
  25028. Luk 1:18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
  25029. Luk 1:19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
  25030. Luk 1:20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvika zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
  25031. Luk 1:21 Vanhu vaiva vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
  25032. Luk 1:22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti aiva aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.
  25033. Luk 1:23 Zvino zvakaitika kuti mazuva ekushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
  25034. Luk 1:24 Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
  25035. Luk 1:25 Ishe wandiitira saizvozvo nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
  25036. Luk 1:26 Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
  25037. Luk 1:27 kumhandara, yaiva yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.
  25038. Luk 1:28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.
  25039. Luk 1:29 Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
  25040. Luk 1:30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.
  25041. Luk 1:31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
  25042. Luk 1:32 Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
  25043. Luk 1:33 Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvika narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo.
  25044. Luk 1:34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?
  25045. Luk 1:35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
  25046. Luk 1:36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
  25047. Luk 1:37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
  25048. Luk 1:38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
  25049. Luk 1:39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
  25050. Luk 1:40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
  25051. Luk 1:41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
  25052. Luk 1:42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
  25053. Luk 1:43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?
  25054. Luk 1:44 Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
  25055. Luk 1:45 Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
  25056. Luk 1:46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
  25057. Luk 1:47 nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
  25058. Luk 1:48 nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa.
  25059. Luk 1:49 Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
  25060. Luk 1:50 Netsitsi dzake dziri kune avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.
  25061. Luk 1:51 Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
  25062. Luk 1:52 Wakaburusa vane masimba pazvigaro zveushe, uye akasimudza vakaderera.
  25063. Luk 1:53 Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
  25064. Luk 1:54 Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
  25065. Luk 1:55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvika rinhi narinhi.
  25066. Luk 1:56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, uye akadzokera kumba kwake.
  25067. Luk 1:57 Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
  25068. Luk 1:58 Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe waiva amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
  25069. Luk 1:59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza Zakaria, zvichienderana nezita rababa vake.
  25070. Luk 1:60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.
  25071. Luk 1:61 Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.
  25072. Luk 1:62 Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
  25073. Luk 1:63 Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vose.
  25074. Luk 1:64 Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
  25075. Luk 1:65 Kutya kukawira vose vaigara vakavakomba; nemashoko awa ose akataurwa kunyika yose yezvikomo yeJudhiya.
  25076. Luk 1:66 Zvino vose vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
  25077. Luk 1:67 Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
  25078. Luk 1:68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;
  25079. Luk 1:69 akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
  25080. Luk 1:70 sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vaiva varipo kubva pasichigare;
  25081. Luk 1:71 ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavose vanotivenga;
  25082. Luk 1:72 kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
  25083. Luk 1:73 mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;
  25084. Luk 1:74 kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
  25085. Luk 1:75 muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.
  25086. Luk 1:76 Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
  25087. Luk 1:77 kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;
  25088. Luk 1:78 netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, marwuri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;
  25089. Luk 1:79 kuvhenekera vagere murima nemumvuri werufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
  25090. Luk 1:80 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvika zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.
  25091. Luk 2:1 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yose inyorwe.
  25092. Luk 2:2 Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya.
  25093. Luk 2:3 Vose ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.
  25094. Luk 2:4 NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bheterehemu, nokuti waiva weimba nerudzi rwaDhavhidhi,
  25095. Luk 2:5 kunonyorwa naMaria mukadzi waiva atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
  25096. Luk 2:6 Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika;
  25097. Luk 2:7 ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti maiva musina nzvimbo yavo mumba yevaeni.
  25098. Luk 2:8 Zvino kwaiva kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku.
  25099. Luk 2:9 Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.
  25100. Luk 2:10 Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vose;
  25101. Luk 2:11 nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.
  25102. Luk 2:12 Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro.
  25103. Luk 2:13 Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:
  25104. Luk 2:14 Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.
  25105. Luk 2:15 Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bheterehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.
  25106. Luk 2:16 Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vose Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro.
  25107. Luk 2:17 Vakati vaona, vakazivisa kose shoko ravaiva vaudzwa maererano nemucheche uyu.
  25108. Luk 2:18 Zvino vose vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvaiva zvataurwa kwavari nevafudzi.
  25109. Luk 2:19 Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvose, achifungisisa mumoyo make.
  25110. Luk 2:20 Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavaiva vanzwa nekuona, sezvaiva zvataurwa kwavari.
  25111. Luk 2:21 Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raaiva atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.
  25112. Luk 2:22 Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,
  25113. Luk 2:23 (sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chose chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),
  25114. Luk 2:24 uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa.
  25115. Luk 2:25 Zvino tarira, kwaiva kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene waiva uri pamusoro pake.
  25116. Luk 2:26 Zvino zvaiva zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.
  25117. Luk 2:27 Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,
  25118. Luk 2:28 iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti:
  25119. Luk 2:29 Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;
  25120. Luk 2:30 nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
  25121. Luk 2:31 rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vose;
  25122. Luk 2:32 chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.
  25123. Luk 2:33 Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.
  25124. Luk 2:34 Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;
  25125. Luk 2:35 uye newe, munondo uchagura nemumweya weupenyu wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.
  25126. Luk 2:36 Zvino kwaiva kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, werudzi rwaAsheri; waiva akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.
  25127. Luk 2:37 Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, waiva asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.
  25128. Luk 2:38 Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vaiva vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.
  25129. Luk 2:39 Zvino vakati vapedza zvinhu zvose zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.
  25130. Luk 2:40 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzaiva dziri pamusoro pake.
  25131. Luk 2:41 Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ose pamutambo wepasika.
  25132. Luk 2:42 Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,
  25133. Luk 2:43 vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,
  25134. Luk 2:44 asi vaimufungira kuva mune vamwe vevaiva vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.
  25135. Luk 2:45 Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.
  25136. Luk 2:46 Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.
  25137. Luk 2:47 Vose vaiva vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake.
  25138. Luk 2:48 Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa.
  25139. Luk 2:49 Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
  25140. Luk 2:50 Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
  25141. Luk 2:51 Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ose mumoyo mavo.
  25142. Luk 2:52 Jesu akawedzera panjere nepakukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.
  25143. Luk 3:1 Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhi ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin’ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene,
  25144. Luk 3:2 Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje.
  25145. Luk 3:3 Akasvika munyika yose yakapoteredza yaJoridhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukanganwirwa kwezvivi;
  25146. Luk 3:4 sezvazvakanyorwa mubhuku remashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reanodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake.
  25147. Luk 3:5 Mupata wose uchafusirwa, negomo roga-roga nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, uye makwiringwindi ave nzira dzakaenzana;
  25148. Luk 3:6 uye nyama yose ichaona ruponeso rwaMwari.
  25149. Luk 3:7 Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Imwi zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya?
  25150. Luk 3:8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahama vana.
  25151. Luk 3:9 Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi, ugokandirwa mumoto.
  25152. Luk 3:10 Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei?
  25153. Luk 3:11 Akapindura akati kwavari: Ane nguvo refu mbiri, ngaagovane neasina; neane kudya ngaaite saizvozvo.
  25154. Luk 3:12 Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei?
  25155. Luk 3:13 Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo.
  25156. Luk 3:14 Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemibairo yenyu.
  25157. Luk 3:15 Zvino vanhu vakati vachatarisira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye angava Kristu,
  25158. Luk 3:16 Johwani akapindura kune vose achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi ane simba kupfuura ini anouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto;
  25159. Luk 3:17 werusero rwake rwuri muruoko rwake; uye achachenesa kwazvo buriro rake; uye achaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.
  25160. Luk 3:18 Naizvozvo achikurudzira nezvimwe zvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.
  25161. Luk 3:19 Asi Herodhi umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin’ina wake, nezvakaipa zvose Herodhi zvaaiva aita,
  25162. Luk 3:20 wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvose, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.
  25163. Luk 3:21 Zvino zvakaitika kuti vanhu vose vabhabhatidzwa, Jesu abhabhatidzwawo, achinyengetera, denga rakazarurwa.
  25164. Luk 3:22 Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sewenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofara mauri kwazvo.
  25165. Luk 3:23 Zvino iye Jesu waiva achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri,
  25166. Luk 3:24 waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa,
  25167. Luk 3:25 waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai,
  25168. Luk 3:26 waMaati, waMatatiasi, waSemeyi, waJosefa, waJudha,
  25169. Luk 3:27 waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri,
  25170. Luk 3:28 waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri,
  25171. Luk 3:29 waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi,
  25172. Luk 3:30 waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu,
  25173. Luk 3:31 waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi,
  25174. Luk 3:32 waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni,
  25175. Luk 3:33 waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha,
  25176. Luk 3:34 waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori,
  25177. Luk 3:35 waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara,
  25178. Luk 3:36 waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki,
  25179. Luk 3:37 waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani,
  25180. Luk 3:38 waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.
  25181. Luk 4:1 Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,
  25182. Luk 4:2 achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye waiva asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.
  25183. Luk 4:3 Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.
  25184. Luk 4:4 Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.
  25185. Luk 4:5 Dhiabhorosi ndokumutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva diki-diki.
  25186. Luk 4:6 Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rose ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nokuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.
  25187. Luk 4:7 Naizvozvo iwe kana ukandinamata pamberi pangu, zvose zvichava zvako.
  25188. Luk 4:8 Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uye umushumire iye oga.
  25189. Luk 4:9 Akamutungamirira kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;
  25190. Luk 4:10 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
  25191. Luk 4:11 uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
  25192. Luk 4:12 Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.
  25193. Luk 4:13 Dhiabhorosi akati apedza muedzo wose, akabva kwaari kusvika pane imwe nguva.
  25194. Luk 4:14 Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira maererano naye ukabudira kudunhu rose rakapoteredza.
  25195. Luk 4:15 Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevose.
  25196. Luk 4:16 Akasvika paNazareta, paaiva arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.
  25197. Luk 4:17 Akapiwa rugwaro rwemuporofita Isaya. Zvino wakati azarura rugwaro, akawana nzvimbo paiva pakanyorwa kuti:
  25198. Luk 4:18 Mweya waIshe uri pamusoro pangu, naizvozvo wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakaputsika pamoyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
  25199. Luk 4:19 kudanidzira gore rakanaka raIshe.
  25200. Luk 4:20 Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso evose vaiva musinagoge akamutarisisa.
  25201. Luk 4:21 Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
  25202. Luk 4:22 Vose vakamupupurira, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haasi mwanakomana waJosefa here?
  25203. Luk 4:23 Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvose zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, zviitewo muno munyika yekwako.
  25204. Luk 4:24 Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yekwake.
  25205. Luk 4:25 Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, zvekuti kwakava nenzara huru panyika yose;
  25206. Luk 4:26 asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.
  25207. Luk 4:27 Uye vane maperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiriya.
  25208. Luk 4:28 Ipapo vose vaiva vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.
  25209. Luk 4:29 Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakauya naye kusvika pamawere pegomo, paiva pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhere pasi.
  25210. Luk 4:30 Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.
  25211. Luk 4:31 Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye aivadzidzisa nemasabata.
  25212. Luk 4:32 Vakashamisika nedzidziso yake, nokuti shoko rake raiva rine simba.
  25213. Luk 4:33 Zvino musinagoge maiva mune munhu aiva ane mweya wedhimoni retsvina; ukadanidzira nenzwi guru,
  25214. Luk 4:34 ukati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
  25215. Luk 4:35 Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.
  25216. Luk 4:36 Kushamisika kukavasvikira vose, vakataurirana pachavo, vachiti: Ishoko ripi iri? Nokuti nesimba nechikuriri anoraira mweya yetsvina, ikabuda.
  25217. Luk 4:37 Mukurumbira maererano naye ukabuda kunzvimbo dzose dzedunhu rakapoteredza.
  25218. Luk 4:38 Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mai vemukadzi waSimoni vaiva vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.
  25219. Luk 4:39 Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.
  25220. Luk 4:40 Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavauisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.
  25221. Luk 4:41 Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nokuti aiva achiziva kuti ndiKristu.
  25222. Luk 4:42 Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.
  25223. Luk 4:43 Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
  25224. Luk 4:44 Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
  25225. Luk 5:1 Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti;
  25226. Luk 5:2 akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vaiva vabuda mazviri vachisuka mimbure.
  25227. Luk 5:3 Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe.
  25228. Luk 5:4 Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate.
  25229. Luk 5:5 Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure.
  25230. Luk 5:6 Vakati vaita izvozvi, vakakomba dutu rehove zhinji; mumbure wavo ukange wobvaruka.
  25231. Luk 5:7 Vakaninira vamwe vavo vaiva vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura.
  25232. Luk 5:8 Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi.
  25233. Luk 5:9 Nokuti kushamisika kwaiva kwamubata, nevose vaiva vanaye, nekubatwa kwehove dzavaiva vabata;
  25234. Luk 5:10 saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu.
  25235. Luk 5:11 Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
  25236. Luk 5:12 Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu, akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
  25237. Luk 5:13 Ndokubva atandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
  25238. Luk 5:14 Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari.
  25239. Luk 5:15 Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo.
  25240. Luk 5:16 Asi iye waienda kumarenje achinonyengetera.
  25241. Luk 5:17 Zvino zvakaitika nerimwe remazuva, iye paaiva achidzidzisa; zvino vaFarisi nevadzidzisi vemurairo vaiva vagerepo, vaibva kumisha yose yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe raiva riripo kuvaporesa.
  25242. Luk 5:18 Uye tarira, varume vaiva vakatakura munhu panhovo waiva akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake.
  25243. Luk 5:19 Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi nemumapfuriro pamwe nenhovo yake, pakati pamberi paJesu.
  25244. Luk 5:20 Iye wakati aona rutendo rwavo, akati kwaari: Munhu, zvivi zvako wazvikanganwirwa.
  25245. Luk 5:21 Zvino vanyori nevaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu anotaura kunyomba? Ndiani anogona kukanganwira zvivi, kunze kwaMwari oga?
  25246. Luk 5:22 Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu?
  25247. Luk 5:23 Chii chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?
  25248. Luk 5:24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune waiva akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.
  25249. Luk 5:25 Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaaiva arere pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
  25250. Luk 5:26 Kuvhiringidzika kukabata vose, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi.
  25251. Luk 5:27 Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere.
  25252. Luk 5:28 Ndokubva asiya zvose, akasimuka akamutevera.
  25253. Luk 5:29 Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chevateresi nevamwe vaiva vagere navo pakudya.
  25254. Luk 5:30 Asi vanyori vavo nevaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
  25255. Luk 5:31 Jesu achipindura akati kwavari: Vatano havadi murapi, asi avo vanorwara.
  25256. Luk 5:32 Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
  25257. Luk 5:33 Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo vevaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa?
  25258. Luk 5:34 Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here?
  25259. Luk 5:35 Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo.
  25260. Luk 5:36 Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu anoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvikasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu.
  25261. Luk 5:37 Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara.
  25262. Luk 5:38 Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva, zvichengetedzeke zviri zviviri.
  25263. Luk 5:39 Uye hakuna munhu anoti anwa waini sharu pakarepo akashuva itsva; nokuti anoti: Sharu iri nani.
  25264. Luk 6:1 Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.
  25265. Luk 6:2 Asi vamwe vevaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?
  25266. Luk 6:3 Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga izvowo Dhavhidhi zvaakaita, paaiva ava nenzara iye nevaiva vanaye,
  25267. Luk 6:4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapa nevaiva vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?
  25268. Luk 6:5 Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.
  25269. Luk 6:6 Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwaiva kune munhu ipapo uye ruoko rwake rwerudyi rwaiva rwakawonyana.
  25270. Luk 6:7 Vanyori nevaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.
  25271. Luk 6:8 Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu waiva ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.
  25272. Luk 6:9 Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?
  25273. Luk 6:10 Zvino akaringa-ringa kwavari vose, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akaita saizvozvo. Ruoko rwake rwukaporeswa ndokugwinya serumwe.
  25274. Luk 6:11 Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.
  25275. Luk 6:12 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kunonyengetera; agara usiku hwose mukunyengetera kuna Mwari.
  25276. Luk 6:13 Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;
  25277. Luk 6:14 Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin’ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,
  25278. Luk 6:15 Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
  25279. Luk 6:16 Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakavawo mutengesi.
  25280. Luk 6:17 Akaburuka navo, akamira panzvimbo pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chevanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, nepagungwa reTire neSidhoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;
  25281. Luk 6:18 nevaiva vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
  25282. Luk 6:19 Chaunga chose chikatsvaka kumubata; nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.
  25283. Luk 6:20 Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe hwaMwari ndehwenyu.
  25284. Luk 6:21 Makaropafadzwa imwi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nokuti muchaseka.
  25285. Luk 6:22 Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasa zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.
  25286. Luk 6:23 Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti saizvozvo zvakaita madzibaba avo kuvaporofita.
  25287. Luk 6:24 Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu.
  25288. Luk 6:25 Mune nhamo imwi munoguta! Nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nekuwungudza.
  25289. Luk 6:26 Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.
  25290. Luk 6:27 Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,
  25291. Luk 6:28 ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.
  25292. Luk 6:29 Kune anokurova padama, umupe rimwewo; anokutorera nguvo, usarambidza neshati.
  25293. Luk 6:30 Asi upe umwe neumwe anokumbira kwauri; neanokutorera zvako, usazvirevazve.
  25294. Luk 6:31 Uye sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.
  25295. Luk 6:32 Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadziwo vanoda vanovada.
  25296. Luk 6:33 Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanoitawo izvozvo.
  25297. Luk 6:34 Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.
  25298. Luk 6:35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWekumusoro-soro; nokuti iye ane moyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.
  25299. Luk 6:36 Naizvozvo ivai netsitsi, saBaba venyuwo vane tsitsi.
  25300. Luk 6:37 Musatonga, uye hamungazotongwi; musapa mhosva, uye hamungazopiwi mhosva; regererai, mugoregererwawo.
  25301. Luk 6:38 Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.
  25302. Luk 6:39 Akataura mufananidzo kwavari akati: Ko bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?
  25303. Luk 6:40 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa achava semudzidzisi wake.
  25304. Luk 6:41 Uye unotarirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?
  25305. Luk 6:42 Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu rwuri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu rwuri muziso reumwe wako.
  25306. Luk 6:43 Nokuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
  25307. Luk 6:44 Nokuti muti umwe neumwe unozikanwa nechibereko chawo pachawo. Nokuti paminzwa havatanhi maonde, uye parukato havatanhi mazambiringa.
  25308. Luk 6:45 Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake anobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake anobudisa zvakaipa; nokuti kubva pazvizere mumoyo muromo wake anotaura.
  25309. Luk 6:46 Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
  25310. Luk 6:47 Ani nani anouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani:
  25311. Luk 6:48 Wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nokuti yaiva yakateyiwa paruware.
  25312. Luk 6:49 Asi anonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa; uye kuwa kweimba iyo kukava kukuru.
  25313. Luk 7:1 Zvino wakati apedza mashoko ake ose munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.
  25314. Luk 7:2 Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, waiva achirwara, achitandadza.
  25315. Luk 7:3 Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru vevaJudha, achimukumbira kuti auye aporese muranda wake.
  25316. Luk 7:4 Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;
  25317. Luk 7:5 nokuti anoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.
  25318. Luk 7:6 Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo aiva asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu;
  25319. Luk 7:7 naizvozvo handina kutongofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu achaporeswa.
  25320. Luk 7:8 Nokuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; uye kune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.
  25321. Luk 7:9 Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
  25322. Luk 7:10 Zvino avo vaiva vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara ava mutano.
  25323. Luk 7:11 Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.
  25324. Luk 7:12 Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwanakomana umwe woga wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga chikuru cheguta chaiva chinaye.
  25325. Luk 7:13 Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
  25326. Luk 7:14 Zvino akaswedera akabata nhovo; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!
  25327. Luk 7:15 Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.
  25328. Luk 7:16 Kutya ndokubata vose; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.
  25329. Luk 7:17 Zvino iri shoko maererano naye rikabudira muJudhiya rose nenharaunda yose yakapoteredza.
  25330. Luk 7:18 Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvose.
  25331. Luk 7:19 Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana tichakataririra umwe?
  25332. Luk 7:20 Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana titaririre umwe?
  25333. Luk 7:21 Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.
  25334. Luk 7:22 Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.
  25335. Luk 7:23 Uye wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
  25336. Luk 7:24 Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozununguswa nemhepo here?
  25337. Luk 7:25 Asi maiva mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzemadzimambo.
  25338. Luk 7:26 Asi maiva mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura zvikuru muporofita.
  25339. Luk 7:27 Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
  25340. Luk 7:28 Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudikisa muushe hwaMwari mukuru kwaari.
  25341. Luk 7:29 Zvino vanhu vose nevateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari wakarurama, zvavaiva vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohwani.
  25342. Luk 7:30 Asi vaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.
  25343. Luk 7:31 Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Uye vakafanana nei?
  25344. Luk 7:32 Vakafanana nevana vadiki vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba; takakuririrai asi hamuna kuchema.
  25345. Luk 7:33 Nokuti Johwani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, zvino moti: Ane dhimoni;
  25346. Luk 7:34 Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achinwa, zvino moti: Tarirai munhu wemakaro nemunwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.
  25347. Luk 7:35 Asi uchenjeri hunonzi hwakarurama nevana vahwo vose.
  25348. Luk 7:36 Zvino umwe wevaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba memuFarisi, akagara pakudya.
  25349. Luk 7:37 Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti agere pakudya mumba memuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
  25350. Luk 7:38 Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapukuta nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
  25351. Luk 7:39 Zvino muFarisi waiva amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, angadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi anomubata, nokuti mutadzi.
  25352. Luk 7:40 Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.
  25353. Luk 7:41 Kwaiva kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe waiva ane chikwereti chamadhenario mazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.
  25354. Luk 7:42 Vakati vasina chekuripisa, akavakanganwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, achamuda kupfuura umwe?
  25355. Luk 7:43 Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakanganwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.
  25356. Luk 7:44 Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.
  25357. Luk 7:45 Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.
  25358. Luk 7:46 Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.
  25359. Luk 7:47 Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakanganwirwa, nokuti wada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.
  25360. Luk 7:48 Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakanganwirwa.
  25361. Luk 7:49 Zvino avo vaiva vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu anokanganwirawo zvivi?
  25362. Luk 7:50 Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
  25363. Luk 8:1 Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka eushe hwaMwari; nevanegumi nevaviri vanaye,
  25364. Luk 8:2 nevamwe vakadzi vaiva vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria anonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe,
  25365. Luk 8:3 naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhi, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.
  25366. Luk 8:4 Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati:
  25367. Luk 8:5 Mukushi wakabuda kunokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, uye shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza.
  25368. Luk 8:6 Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikaoma, nokuti yakashaiwa unyoro.
  25369. Luk 8:7 Neimwe ikawira pakati peminzwa, minzwa ikakura nayo, ikaivhunga.
  25370. Luk 8:8 Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvine zana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  25371. Luk 8:9 Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyu ungavei?
  25372. Luk 8:10 Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona, uye vachinzwa vasanzwisisa.
  25373. Luk 8:11 Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari.
  25374. Luk 8:12 Avo veparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi anouya ndokubvisa shoko pamoyo wavo, kuti varege kutenda, vaponeswe.
  25375. Luk 8:13 Neveparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa.
  25376. Luk 8:14 Neyakawira paminzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko.
  25377. Luk 8:15 Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama newakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.
  25378. Luk 8:16 Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje, anoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi anouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
  25379. Luk 8:17 Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikanwi nekubuda pachena.
  25380. Luk 8:18 Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nokuti ani nani anazvo, achapiwa; asi ani nani asina, achatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti anacho.
  25381. Luk 8:19 Zvino kwakauya kwaari mai nevanin’ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.
  25382. Luk 8:20 Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin’ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai.
  25383. Luk 8:21 Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin’ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.
  25384. Luk 8:22 Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakasimuka nechikepe.
  25385. Luk 8:23 Zvino vakati vachienda nechikepe, akarara hope; kukauya dutu guru remhepo padziva; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi.
  25386. Luk 8:24 Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.
  25387. Luk 8:25 Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ko ndeupi uyu, kuti anoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?
  25388. Luk 8:26 Zvino vakaenda nechikepe kunyika yevaGadharini, yakatarisana neGarirea.
  25389. Luk 8:27 Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, waiva ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.
  25390. Luk 8:28 Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza.
  25391. Luk 8:29 Nokuti waiva araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti waiva wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni.
  25392. Luk 8:30 Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nokuti madhimoni mazhinji aiva apinda maari.
  25393. Luk 8:31 Akamukumbirisa kuti arege kumaraira kuti aende kugomba risina chigadziko.
  25394. Luk 8:32 Zvino kwaiva kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera.
  25395. Luk 8:33 Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richienda kudziva, rikabitirirwa.
  25396. Luk 8:34 Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemumaruwa.
  25397. Luk 8:35 Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu waiva abuda madhimoni maari, agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya.
  25398. Luk 8:36 Vaiva vazvionawo vakavaudza kuti akaponeswa sei aiva nemadhimoni.
  25399. Luk 8:37 Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera.
  25400. Luk 8:38 Asi murume waiva abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti:
  25401. Luk 8:39 Dzokera kumba kwako, unotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.
  25402. Luk 8:40 Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nokuti vose vaiva vakamurindira.
  25403. Luk 8:41 Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye waiva ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make;
  25404. Luk 8:42 nokuti waiva ane mukunda wakaberekwa umwe woga wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye waiva achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira.
  25405. Luk 8:43 Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa kwemakore gumi nemaviri, waiva apedzera zvose zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe.
  25406. Luk 8:44 Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa rake kukaguma.
  25407. Luk 8:45 Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, zvaunga zvinokumbandidzirai nekukutsikirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
  25408. Luk 8:46 Asi Jesu wakati: Aripo wandibata; nokuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri.
  25409. Luk 8:47 Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vose kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.
  25410. Luk 8:48 Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
  25411. Luk 8:49 Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi.
  25412. Luk 8:50 Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye achaponeswa.
  25413. Luk 8:51 Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai.
  25414. Luk 8:52 Uye vose vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema; haana kufa, asi arere.
  25415. Luk 8:53 Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa.
  25416. Luk 8:54 Asi wakavabudisira vose panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka!
  25417. Luk 8:55 Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe kudya.
  25418. Luk 8:56 Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.
  25419. Luk 9:1 Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ose, nekuporesa zvirwere.
  25420. Luk 9:2 Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.
  25421. Luk 9:3 Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo refu mbiri umwe neumwe.
  25422. Luk 9:4 Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.
  25423. Luk 9:5 Uye ani nani asingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, huve uchapupu hunopikisana navo.
  25424. Luk 9:6 Zvino vakabva vakaenda vachigura nemumisha yose, vachiparidza evhangeri, nekuporesa pose-pose.
  25425. Luk 9:7 Zvino Herodhi, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvose zvakaitwa naye; akakanganisika, nokuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani waiva amuka kubva kuvakafa;
  25426. Luk 9:8 nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe muporofita wevekare wamuka.
  25427. Luk 9:9 Asi Herodhi wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.
  25428. Luk 9:10 Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavaiva vaita. Akavatora, akaenda navo vari voga kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
  25429. Luk 9:11 Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vaiva vachida kuporeswa.
  25430. Luk 9:12 Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane kudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.
  25431. Luk 9:13 Asi wakati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vose kudya.
  25432. Luk 9:14 Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Asi akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.
  25433. Luk 9:15 Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.
  25434. Luk 9:16 Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.
  25435. Luk 9:17 Vakadya, vakaguta vese; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.
  25436. Luk 9:18 Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vaiva vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?
  25437. Luk 9:19 Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.
  25438. Luk 9:20 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.
  25439. Luk 9:21 Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvi;
  25440. Luk 9:22 achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.
  25441. Luk 9:23 Zvino wakati kune vese: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
  25442. Luk 9:24 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye achahuponesa.
  25443. Luk 9:25 Nokuti munhu angabatsirwa nei, kana akawana nyika yose, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?
  25444. Luk 9:26 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba nekwevatumwa vatsvene.
  25445. Luk 9:27 Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvika vaona ushe hwaMwari.
  25446. Luk 9:28 Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kunonyengetera.
  25447. Luk 9:29 Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.
  25448. Luk 9:30 Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria.
  25449. Luk 9:31 Vakaonekwa mukubwinya, vakataura zvekubva kwake kwaaiva achinopedzisa paJerusarema.
  25450. Luk 9:32 Asi Petro nevaiva naye vaiva varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.
  25451. Luk 9:33 Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria; asingazivi zvaanoreva.
  25452. Luk 9:34 Wakati achitaura izvi, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.
  25453. Luk 9:35 Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa; inzwai iye.
  25454. Luk 9:36 Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari ega. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavaiva vaona.
  25455. Luk 9:37 Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.
  25456. Luk 9:38 Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye wakaberekwa umwe woga wangu;
  25457. Luk 9:39 zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.
  25458. Luk 9:40 Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.
  25459. Luk 9:41 Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvika rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uisa mwanakomana wako pano.
  25460. Luk 9:42 Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu akatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
  25461. Luk 9:43 Vose ndokushamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vose vachakashamisika nezvose Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
  25462. Luk 9:44 Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu.
  25463. Luk 9:45 Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chaiva chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.
  25464. Luk 9:46 Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani angava mukurusa kwavari.
  25465. Luk 9:47 Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,
  25466. Luk 9:48 akati kwavari: Ani nani anogamuchira mucheche uyu muzita rangu, anogamuchira ini, uye ani nani anogamuchira ini anogamuchira wakandituma; nokuti mudikisa pakati penyu mose, ndiye achava mukuru.
  25467. Luk 9:49 Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.
  25468. Luk 9:50 Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nokuti uyo asingatipikisi, ndewedu.
  25469. Luk 9:51 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,
  25470. Luk 9:52 akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha wevaSamariya, kunomugadzirira.
  25471. Luk 9:53 Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chaienda kuJerusarema.
  25472. Luk 9:54 Zvino vadzidzi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eria sezvaakaitawo here?
  25473. Luk 9:55 Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti imwi muri vemweya wakadii.
  25474. Luk 9:56 Nokuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhuponesa. Zvino vakaenda kune umwe musha.
  25475. Luk 9:57 Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
  25476. Luk 9:58 Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.
  25477. Luk 9:59 Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.
  25478. Luk 9:60 Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda unoparidza ushe hwaMwari.
  25479. Luk 9:61 Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.
  25480. Luk 9:62 Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.
  25481. Luk 10:1 Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo [imwe neimwe] iye kwaaiva achizoenda.
  25482. Luk 10:2 Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.
  25483. Luk 10:3 Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.
  25484. Luk 10:4 Musatakura chikwama, kana nhava, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.
  25485. Luk 10:5 Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai kuti: Rugare kuimba ino.
  25486. Luk 10:6 Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; uye kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.
  25487. Luk 10:7 Garai mumba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.
  25488. Luk 10:8 Muguta ripi neripi mamunopinda, uye vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,
  25489. Luk 10:9 muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
  25490. Luk 10:10 Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:
  25491. Luk 10:11 Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
  25492. Luk 10:12 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.
  25493. Luk 10:13 Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.
  25494. Luk 10:14 Asi zvichava nani kuTire neSidhoni pakutongwa, kupfuura imwi.
  25495. Luk 10:15 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi.
  25496. Luk 10:16 Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma.
  25497. Luk 10:17 Vane makumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.
  25498. Luk 10:18 Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.
  25499. Luk 10:19 Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rose remuvengi; uye hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.
  25500. Luk 10:20 Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.
  25501. Luk 10:21 Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.
  25502. Luk 10:22 Zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.
  25503. Luk 10:23 Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.
  25504. Luk 10:24 Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
  25505. Luk 10:25 Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
  25506. Luk 10:26 Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?
  25507. Luk 10:27 Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya weupenyu wako wose, uye nesimba rako rose, uye nepfungwa dzako dzose; neumwe wako sezvaunozvida iwe.
  25508. Luk 10:28 Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvi, ugorarama.
  25509. Luk 10:29 Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?
  25510. Luk 10:30 Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.
  25511. Luk 10:31 Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi waiva achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
  25512. Luk 10:32 Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
  25513. Luk 10:33 Zvino umwe muSamariya, waiva achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,
  25514. Luk 10:34 akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidiramo mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.
  25515. Luk 10:35 Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve kana ndichidzoka.
  25516. Luk 10:36 Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?
  25517. Luk 10:37 Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.
  25518. Luk 10:38 Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; uye umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.
  25519. Luk 10:39 Uye iye waiva ane munin’inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
  25520. Luk 10:40 Asi Marita waiva akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin’ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.
  25521. Luk 10:41 Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;
  25522. Luk 10:42 asi chinhu chimwe chinodikanwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.
  25523. Luk 11:1 Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.
  25524. Luk 11:2 Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga.
  25525. Luk 11:3 Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ose.
  25526. Luk 11:4 Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.
  25527. Luk 11:5 Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
  25528. Luk 11:6 nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;
  25529. Luk 11:7 uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.
  25530. Luk 11:8 Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvose zvaanoshaiwa.
  25531. Luk 11:9 Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
  25532. Luk 11:10 Nokuti wose anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa.
  25533. Luk 11:11 Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here?
  25534. Luk 11:12 Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here?
  25535. Luk 11:13 Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
  25536. Luk 11:14 Zvino waiva achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika.
  25537. Luk 11:15 Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
  25538. Luk 11:16 Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
  25539. Luk 11:17 Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwose hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.
  25540. Luk 11:18 Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.
  25541. Luk 11:19 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
  25542. Luk 11:20 Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
  25543. Luk 11:21 Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare;
  25544. Luk 11:22 asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzose dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho.
  25545. Luk 11:23 Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.
  25546. Luk 11:24 Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakaoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.
  25547. Luk 11:25 Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.
  25548. Luk 11:26 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, igopinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.
  25549. Luk 11:27 Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.
  25550. Luk 11:28 Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.
  25551. Luk 11:29 Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
  25552. Luk 11:30 Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.
  25553. Luk 11:31 Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
  25554. Luk 11:32 Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.
  25555. Luk 11:33 Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
  25556. Luk 11:34 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.
  25557. Luk 11:35 Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.
  25558. Luk 11:36 Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wose, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.
  25559. Luk 11:37 Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
  25560. Luk 11:38 Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti waiva asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro.
  25561. Luk 11:39 Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi vaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.
  25562. Luk 11:40 Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?
  25563. Luk 11:41 Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvose zvichava zvakachena kwamuri.
  25564. Luk 11:42 Asi mune nhamo vaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemiriwo yose, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.
  25565. Luk 11:43 Mune nhamo vaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.
  25566. Luk 11:44 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
  25567. Luk 11:45 Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo.
  25568. Luk 11:46 Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.
  25569. Luk 11:47 Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.
  25570. Luk 11:48 Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.
  25571. Luk 11:49 Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, uye vamwe vavo vachavauraya nekushusha;
  25572. Luk 11:50 kuti ropa revaporofita vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,
  25573. Luk 11:51 kubva paropa raAberi kusvika paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.
  25574. Luk 11:52 Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.
  25575. Luk 11:53 Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori nevaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,
  25576. Luk 11:54 vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.
  25577. Luk 12:1 Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga [achiti]: Imwi chenjerai mbiriso yevaFarisi, inova unyepedzeri.
  25578. Luk 12:2 Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.
  25579. Luk 12:3 Naizvozvo zvose zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
  25580. Luk 12:4 Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
  25581. Luk 12:5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.
  25582. Luk 12:6 Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Uye hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.
  25583. Luk 12:7 Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.
  25584. Luk 12:8 Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
  25585. Luk 12:9 asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
  25586. Luk 12:10 Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.
  25587. Luk 12:11 Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;
  25588. Luk 12:12 nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
  25589. Luk 12:13 Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
  25590. Luk 12:14 Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
  25591. Luk 12:15 Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
  25592. Luk 12:16 Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
  25593. Luk 12:17 akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
  25594. Luk 12:18 Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvose ipapo, nenhumbi dzangu,
  25595. Luk 12:19 ndigoti kumweya wangu: Mweya weupenyu, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.
  25596. Luk 12:20 Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya weupenyu wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
  25597. Luk 12:21 Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
  25598. Luk 12:22 Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
  25599. Luk 12:23 Upenyu hunopfuura kudya, nemuviri zvipfeko.
  25600. Luk 12:24 Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
  25601. Luk 12:25 Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
  25602. Luk 12:26 Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
  25603. Luk 12:27 Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kupfekedzwa seumwe wayo.
  25604. Luk 12:28 Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?
  25605. Luk 12:29 Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
  25606. Luk 12:30 Nokuti zvinhu izvi zvose marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
  25607. Luk 12:31 Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
  25608. Luk 12:32 Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
  25609. Luk 12:33 Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
  25610. Luk 12:34 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.
  25611. Luk 12:35 Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
  25612. Luk 12:36 Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
  25613. Luk 12:37 Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
  25614. Luk 12:38 Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
  25615. Luk 12:39 Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
  25616. Luk 12:40 Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.
  25617. Luk 12:41 Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?
  25618. Luk 12:42 Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?
  25619. Luk 12:43 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
  25620. Luk 12:44 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
  25621. Luk 12:45 Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;
  25622. Luk 12:46 ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.
  25623. Luk 12:47 Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.
  25624. Luk 12:48 Asi waiva asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wose wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
  25625. Luk 12:49 Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
  25626. Luk 12:50 Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvika rwuchipedziswa.
  25627. Luk 12:51 Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
  25628. Luk 12:52 Nokuti kubva zvino vashanu mumba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
  25629. Luk 12:53 vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
  25630. Luk 12:54 Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
  25631. Luk 12:55 Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
  25632. Luk 12:56 Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
  25633. Luk 12:57 Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?
  25634. Luk 12:58 Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
  25635. Luk 12:59 Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvika waripa kunyange kamari kekupedzisira.
  25636. Luk 13:1 Zvino panguva iyo kwaiva kune vamwe vakamuudza zvevaGarirea, ropa ravo Pirato raaiva avhenganisa nezvibairo zvavo.
  25637. Luk 13:2 Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti vaGarirea ava vaiva vatadzi kupfuura vaGarirea vose here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai?
  25638. Luk 13:3 Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.
  25639. Luk 13:4 Kana vaya gumi nevasere, shongwe payakawira pamusoro pavo muSiroami ikavauraya, munofunga kuti ivo vaiva vane ngava kukunda vanhu vose vaigara muJerusarema here?
  25640. Luk 13:5 Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.
  25641. Luk 13:6 Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe waiva ane muonde waiva wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa.
  25642. Luk 13:7 Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu?
  25643. Luk 13:8 Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvika nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze;
  25644. Luk 13:9 zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema.
  25645. Luk 13:10 Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata;
  25646. Luk 13:11 zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, waiva akakombama musana, asingagoni kutasamuka zvizere.
  25647. Luk 13:12 Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako.
  25648. Luk 13:13 Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.
  25649. Luk 13:14 Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nokuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata.
  25650. Luk 13:15 Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata akaitungamidza kunoinwisa here?
  25651. Luk 13:16 Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahama, Satani waaiva akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nezuva resabata here?
  25652. Luk 13:17 Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidzwa zvakaitwa naye.
  25653. Luk 13:18 Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahufananidza nei?
  25654. Luk 13:19 Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo.
  25655. Luk 13:20 Akatizve: Ndichahufananidza nei ushe hwaMwari?
  25656. Luk 13:21 Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvika hwose hwaviriswa.
  25657. Luk 13:22 Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema.
  25658. Luk 13:23 Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari:
  25659. Luk 13:24 Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
  25660. Luk 13:25 Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva.
  25661. Luk 13:26 Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekunwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu.
  25662. Luk 13:27 Asi achati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mose vaiti vezvakaipa.
  25663. Luk 13:28 Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahama naIsaka naJakobho nevaporofita vose muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.
  25664. Luk 13:29 Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari.
  25665. Luk 13:30 Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira.
  25666. Luk 13:31 Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nokuti Herodhi anoda kukuurayai.
  25667. Luk 13:32 Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza.
  25668. Luk 13:33 Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nokuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.
  25669. Luk 13:34 Jerusarema, Jerusarema, iwe anouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndaiva ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda.
  25670. Luk 13:35 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni, kusvika zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!
  25671. Luk 14:1 Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru vevaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
  25672. Luk 14:2 Zvino tarira, kwaiva kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
  25673. Luk 14:3 Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo nevaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
  25674. Luk 14:4 Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
  25675. Luk 14:5 Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?
  25676. Luk 14:6 Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
  25677. Luk 14:7 Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
  25678. Luk 14:8 Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
  25679. Luk 14:9 zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.
  25680. Luk 14:10 Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
  25681. Luk 14:11 Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.
  25682. Luk 14:12 Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.
  25683. Luk 14:13 Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
  25684. Luk 14:14 uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
  25685. Luk 14:15 Umwe wevaiva vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.
  25686. Luk 14:16 Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.
  25687. Luk 14:17 Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vaiva vakakokwa: Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.
  25688. Luk 14:18 Zvino vose vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, uye ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, undiregerere.
  25689. Luk 14:19 Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, uye ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, undiregerere.
  25690. Luk 14:20 Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
  25691. Luk 14:21 Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.
  25692. Luk 14:22 Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
  25693. Luk 14:23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
  25694. Luk 14:24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
  25695. Luk 14:25 Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; uye akatendeuka akati kwavari:
  25696. Luk 14:26 Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin’ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
  25697. Luk 14:27 Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
  25698. Luk 14:28 Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzisa?
  25699. Luk 14:29 Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vose vanoona vanotanga kumuseka,
  25700. Luk 14:30 vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
  25701. Luk 14:31 Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
  25702. Luk 14:32 Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.
  25703. Luk 14:33 Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvose zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
  25704. Luk 14:34 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
  25705. Luk 14:35 Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
  25706. Luk 15:1 Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vose, kuzomunzwa.
  25707. Luk 15:2 VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu anogamuchira vatadzi, achidya navo.
  25708. Luk 15:3 Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:
  25709. Luk 15:4 Ndeupi munhu kwamuri angati ane makwai zana, kana arasikirwa nerimwe rawo, asingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvika ariwana?
  25710. Luk 15:5 Uye kana ariwana, anoriisa pamafudzi ake achifara.
  25711. Luk 15:6 Zvino kana asvika kumusha, anodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu raiva rarasika.
  25712. Luk 15:7 Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
  25713. Luk 15:8 Kana ndeupi mukadzi ane makobiri gumi, kana arasikirwa nekobiri rimwe, asingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvika ariwana?
  25714. Luk 15:9 Uye kana ariwana, anodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nokuti ndawana kobiri randanga ndarasikirwa naro.
  25715. Luk 15:10 Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka.
  25716. Luk 15:11 Zvino wakati: Umwe munhu aiva ane vanakomana vaviri.
  25717. Luk 15:12 Mudiki wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.
  25718. Luk 15:13 Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana mudiki wakaunganidza zvose pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.
  25719. Luk 15:14 Zvino wakati aparadza zvose, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.
  25720. Luk 15:15 Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; iye akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.
  25721. Luk 15:16 Waiva achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.
  25722. Luk 15:17 Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.
  25723. Luk 15:18 Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;
  25724. Luk 15:19 uye handichafanirizve kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.
  25725. Luk 15:20 Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.
  25726. Luk 15:21 Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafanirizve kunzi mwanakomana wenyu.
  25727. Luk 15:22 Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo refu yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;
  25728. Luk 15:23 muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;
  25729. Luk 15:24 nokuti uyu mwanakomana wangu waiva afa, zvino wararamazve; waiva arasika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.
  25730. Luk 15:25 Zvino mwanakomana wake mukuru waiva ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.
  25731. Luk 15:26 Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.
  25732. Luk 15:27 Zvino akati kwaari: Munin’ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamugamuchira ari mutano.
  25733. Luk 15:28 Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.
  25734. Luk 15:29 Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji akadai ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
  25735. Luk 15:30 Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.
  25736. Luk 15:31 Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvangu ndezvako.
  25737. Luk 15:32 Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nokuti munin’ina wako uyu waiva afa, wararamazve; uye waiva arasika, wawanikwa.
  25738. Luk 16:1 Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake [achiti]: Kwaiva kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seanoparadza nhumbi dzake.
  25739. Luk 16:2 Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nokuti hauchazogoni kuva mutariri.
  25740. Luk 16:3 Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.
  25741. Luk 16:4 Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
  25742. Luk 16:5 Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wavaiva vane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?
  25743. Luk 16:6 Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.
  25744. Luk 16:7 Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.
  25745. Luk 16:8 Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti waiva aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza.
  25746. Luk 16:9 Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi.
  25747. Luk 16:10 Wakatendeka pachidikisa wakatendekawo pachikuru, neasakarurama pachidikisa haana kururamawo pachikuru.
  25748. Luk 16:11 Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani achakubatisai chinhu chechokwadi?
  25749. Luk 16:12 Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani achakupai chenyu?
  25750. Luk 16:13 Hakuna muranda anogona kubatira vana tenzi maviri; nokuti zvimwe achavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti achanamatira kune umwe, agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.
  25751. Luk 16:14 Zvino nevaFarisi vaiva vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvose, vakamuseka.
  25752. Luk 16:15 Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari anoziva moyo yenyu; nokuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.
  25753. Luk 16:16 Murairo nevaporofita zvaivapo kusvika kuna Johwani; kubva ipapo ushe hwaMwari hunoparidzwa, uye umwe neumwe anosenerera mahuri.
  25754. Luk 16:17 Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.
  25755. Luk 16:18 Ani nani anoramba mukadzi wake akawana umwe anoita upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa kumurume anoita upombwe.
  25756. Luk 16:19 Kwaiva kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yakaisvonaka, nekufara paumbozha mazuva ose.
  25757. Luk 16:20 Zvino kwaiva kune umwe mupemhi wainzi Razaro, waiva akaiswa pasuwo rake azere maronda,
  25758. Luk 16:21 uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; asi kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
  25759. Luk 16:22 Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahama. Mufumi akafawo, akavigwa.
  25760. Luk 16:23 Zvino ari muhadhesi wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.
  25761. Luk 16:24 Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahama, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.
  25762. Luk 16:25 Asi Abhurahama wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.
  25763. Luk 16:26 Uye pamusoro peizvi zvose, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.
  25764. Luk 16:27 Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,
  25765. Luk 16:28 nokuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.
  25766. Luk 16:29 Abhurahama akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.
  25767. Luk 16:30 Iye ndokuti: Kwete, baba Abhurahama; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.
  25768. Luk 16:31 Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa.
  25769. Luk 17:1 Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi ane nhamo wazvinouya kubudikidza naye.
  25770. Luk 17:2 Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevadiki ava.
  25771. Luk 17:3 Muzvichenjerere imwi. Zvino kana umwe wako akakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukanganwire.
  25772. Luk 17:4 Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukanganwira.
  25773. Luk 17:5 Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo.
  25774. Luk 17:6 Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai.
  25775. Luk 17:7 Asi ndeupi kwamuri ane muranda anorima kana kufudza, achati pakarepo achipinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya?
  25776. Luk 17:8 Asi angarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvika ndadya, ndikanwa; zvino mushure meizvozvi iwe udye nekunwa?
  25777. Luk 17:9 Anotenda muranda uyo nokuti wakaita zvarairwa here? Handifungi.
  25778. Luk 17:10 Saizvozvo nemwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nokuti taita zvataifanira kuita.
  25779. Luk 17:11 Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamariya neGarirea.
  25780. Luk 17:12 Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure.
  25781. Luk 17:13 Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi!
  25782. Luk 17:14 Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa.
  25783. Luk 17:15 Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru;
  25784. Luk 17:16 ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye waiva ari muSamariya.
  25785. Luk 17:17 Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi?
  25786. Luk 17:18 Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa.
  25787. Luk 17:19 Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa.
  25788. Luk 17:20 Zvino wakati achibvunzwa nevaFarisi, kuti ushe hwaMwari hunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahuuyi nekuonekwa;
  25789. Luk 17:21 uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.
  25790. Luk 17:22 Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni.
  25791. Luk 17:23 Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera.
  25792. Luk 17:24 Nokuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvika kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake.
  25793. Luk 17:25 Asi kutanga anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri.
  25794. Luk 17:26 Uye sezvazvaiva zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mumazuva eMwanakomana wemunhu.
  25795. Luk 17:27 Vaidya, vainwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvika zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vose.
  25796. Luk 17:28 Saizvozvowo sezvazvaiva zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;
  25797. Luk 17:29 asi nemusi Roti waakabuda muSodhoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vose.
  25798. Luk 17:30 Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.
  25799. Luk 17:31 Muzuva iro, uyo achava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neari kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure.
  25800. Luk 17:32 Yeukai mukadzi waRoti.
  25801. Luk 17:33 Ani nani anotsvaka kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani nani anorasikirwa nahwo achahuraramisa.
  25802. Luk 17:34 Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
  25803. Luk 17:35 Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
  25804. Luk 17:36 Vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe asiiwe.
  25805. Luk 17:37 Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora.
  25806. Luk 18:1 Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, uye vasaora moyo,
  25807. Luk 18:2 achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, waiva asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;
  25808. Luk 18:3 zvino kwaiva kune chirikadzi muguta iro, yaiva ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
  25809. Luk 18:4 Asi waiva asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;
  25810. Luk 18:5 asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo.
  25811. Luk 18:6 Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva.
  25812. Luk 18:7 Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?
  25813. Luk 18:8 Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?
  25814. Luk 18:9 Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:
  25815. Luk 18:10 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.
  25816. Luk 18:11 MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.
  25817. Luk 18:12 Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.
  25818. Luk 18:13 Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
  25819. Luk 18:14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.
  25820. Luk 18:15 Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.
  25821. Luk 18:16 Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.
  25822. Luk 18:17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
  25823. Luk 18:18 Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
  25824. Luk 18:19 Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.
  25825. Luk 18:20 Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
  25826. Luk 18:21 Iye ndokuti: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
  25827. Luk 18:22 Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.
  25828. Luk 18:23 Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti waiva akafuma zvikuru.
  25829. Luk 18:24 Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.
  25830. Luk 18:25 Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
  25831. Luk 18:26 Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa?
  25832. Luk 18:27 Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.
  25833. Luk 18:28 Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
  25834. Luk 18:29 Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin’ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,
  25835. Luk 18:30 asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi.
  25836. Luk 18:31 Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvose zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.
  25837. Luk 18:32 Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,
  25838. Luk 18:33 uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve.
  25839. Luk 18:34 Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri raiva rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.
  25840. Luk 18:35 Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;
  25841. Luk 18:36 rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.
  25842. Luk 18:37 Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura.
  25843. Luk 18:38 Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
  25844. Luk 18:39 Zvino vaiva vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
  25845. Luk 18:40 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,
  25846. Luk 18:41 achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.
  25847. Luk 18:42 Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.
  25848. Luk 18:43 Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vose vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.
  25849. Luk 19:1 Zvino [Jesu] wakapinda, akagura muJeriko.
  25850. Luk 19:2 Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye waiva ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;
  25851. Luk 19:3 uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi waiva asingagoni nekuda kwechaunga, nokuti waiva ane chimiro chipfupi.
  25852. Luk 19:4 Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nokuti waiva achizopfuura nenzira iyo.
  25853. Luk 19:5 Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
  25854. Luk 19:6 Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.
  25855. Luk 19:7 Zvino vakati vazviona vakan’un’una vose vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.
  25856. Luk 19:8 Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.
  25857. Luk 19:9 Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti iyewo mwanakomana waAbhurahama.
  25858. Luk 19:10 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.
  25859. Luk 19:11 Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nokuti waiva ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.
  25860. Luk 19:12 Naizvozvo wakati: Umwe munhu ane mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe, agodzoka.
  25861. Luk 19:13 Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai nayo kusvika ndichiuya.
  25862. Luk 19:14 Asi vanhu venyika yake vaiva vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi kuti uyu atitonge.
  25863. Luk 19:15 Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaaiva apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.
  25864. Luk 19:16 Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.
  25865. Luk 19:17 Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nokuti waiva wakatendeka pachidiki-diki, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.
  25866. Luk 19:18 Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.
  25867. Luk 19:19 Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.
  25868. Luk 19:20 Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandaiva ndakachengeta mumucheka wekumeso;
  25869. Luk 19:21 nokuti ndaiva ndichikutyai, nokuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.
  25870. Luk 19:22 Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; waiva uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;
  25871. Luk 19:23 naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.
  25872. Luk 19:24 Ndokuti kune vaiva vamirepo: Mutorerei pondo mupe kune ane pondo gumi.
  25873. Luk 19:25 Asi vakati kwaari: Ishe, ane pondo gumi.
  25874. Luk 19:26 Nokuti ndinoti kwamuri: Anazvo achapiwa; uye asina, kwaari kuchatorwa nezvaanazvo.
  25875. Luk 19:27 Asi vavengi vangu avo, vaiva vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uisai pano, muvauraye pamberi pangu.
  25876. Luk 19:28 Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.
  25877. Luk 19:29 Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,
  25878. Luk 19:30 achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuisa.
  25879. Luk 19:31 Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe anorida.
  25880. Luk 19:32 Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaaiva ataura kwavari.
  25881. Luk 19:33 Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?
  25882. Luk 19:34 Ivo ndokuti: Ishe anorida.
  25883. Luk 19:35 Zvino vakariuisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.
  25884. Luk 19:36 Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
  25885. Luk 19:37 Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chose chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avaiva vaona,
  25886. Luk 19:38 vachiti: Wakaropafadzwa mambo anouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.
  25887. Luk 19:39 Uye vamwe vevaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.
  25888. Luk 19:40 Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.
  25889. Luk 19:41 Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,
  25890. Luk 19:42 achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako, zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.
  25891. Luk 19:43 Nokuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ose,
  25892. Luk 19:44 uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, uye havangasii mukati mako ibwe pamusoro pebwe; nokuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.
  25893. Luk 19:45 Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vaiva vachitengesamo nevaitenga,
  25894. Luk 19:46 achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.
  25895. Luk 19:47 Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.
  25896. Luk 19:48 Asi havana kuwana zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa.
  25897. Luk 20:1 Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,
  25898. Luk 20:2 ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?
  25899. Luk 20:3 Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:
  25900. Luk 20:4 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga kana kuvanhu?
  25901. Luk 20:5 Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?
  25902. Luk 20:6 Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vose vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
  25903. Luk 20:7 Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.
  25904. Luk 20:8 Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
  25905. Luk 20:9 Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;
  25906. Luk 20:10 zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.
  25907. Luk 20:11 Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.
  25908. Luk 20:12 Zvino wakatumazve wechitatu; uye vakamukuvadza uyuwo, vakamukandira kunze.
  25909. Luk 20:13 Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.
  25910. Luk 20:14 Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.
  25911. Luk 20:15 Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei?
  25912. Luk 20:16 Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
  25913. Luk 20:17 Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?
  25914. Luk 20:18 Wose anowira pamusoro pebwe iro achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro pake richamukuya.
  25915. Luk 20:19 Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo.
  25916. Luk 20:20 Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.
  25917. Luk 20:21 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.
  25918. Luk 20:22 Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?
  25919. Luk 20:23 Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei?
  25920. Luk 20:24 Ndiratidzei dhenario; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
  25921. Luk 20:25 Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
  25922. Luk 20:26 Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; uye vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.
  25923. Luk 20:27 Zvino kwakaswedera vamwe vevaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza,
  25924. Luk 20:28 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin’ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.
  25925. Luk 20:29 Naizvozvo kwaiva kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana;
  25926. Luk 20:30 newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana;
  25927. Luk 20:31 newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.
  25928. Luk 20:32 Pakupedzisira kwavo vose mukadzi wakafawo.
  25929. Luk 20:33 Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi.
  25930. Luk 20:34 Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa;
  25931. Luk 20:35 asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa;
  25932. Luk 20:36 nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka.
  25933. Luk 20:37 Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
  25934. Luk 20:38 Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vose vanoraramira iye.
  25935. Luk 20:39 Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
  25936. Luk 20:40 Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.
  25937. Luk 20:41 Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
  25938. Luk 20:42 Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
  25939. Luk 20:43 kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
  25940. Luk 20:44 Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?
  25941. Luk 20:45 Zvino vanhu vose vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:
  25942. Luk 20:46 Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;
  25943. Luk 20:47 vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.
  25944. Luk 21:1 Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
  25945. Luk 21:2 Uye wakaonawo imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri.
  25946. Luk 21:3 Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vose;
  25947. Luk 21:4 nokuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chose chaaiva nacho chaairarama nacho.
  25948. Luk 21:5 Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yaiva yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
  25949. Luk 21:6 Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
  25950. Luk 21:7 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
  25951. Luk 21:8 Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
  25952. Luk 21:9 Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonga-nyonga, musavhunduswa; nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
  25953. Luk 21:10 Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
  25954. Luk 21:11 Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
  25955. Luk 21:12 Asi mberi kwaizvozvi zvose vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
  25956. Luk 21:13 Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
  25957. Luk 21:14 Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
  25958. Luk 21:15 Nokuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vose zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
  25959. Luk 21:16 Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
  25960. Luk 21:17 Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu.
  25961. Luk 21:18 Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
  25962. Luk 21:19 Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yeupenyu yenyu.
  25963. Luk 21:20 Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
  25964. Luk 21:21 Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.
  25965. Luk 21:22 Nokuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
  25966. Luk 21:23 Asi vane nhamo vane mimba nevanonwisa mumazuva iwayo! Nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
  25967. Luk 21:24 Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ose; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvika nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
  25968. Luk 21:25 Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
  25969. Luk 21:26 vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nokuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
  25970. Luk 21:27 Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
  25971. Luk 21:28 Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nokuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
  25972. Luk 21:29 Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yose;
  25973. Luk 21:30 kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
  25974. Luk 21:31 Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
  25975. Luk 21:32 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvika zvose zvaitika.
  25976. Luk 21:33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
  25977. Luk 21:34 Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekuraradza nekufunganya zveupenyu huno, uye zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
  25978. Luk 21:35 Nokuti seriva richasvika pamusoro pevose vagere pachiso chenyika yose.
  25979. Luk 21:36 Naizvozvo rindai panguva yose munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvi zvose zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
  25980. Luk 21:37 Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi waibuda achipedzera usiku mugomo rinonzi reMiorivhi.
  25981. Luk 21:38 Vanhu vose ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.
  25982. Luk 22:1 Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
  25983. Luk 22:2 Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.
  25984. Luk 22:3 Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
  25985. Luk 22:4 Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.
  25986. Luk 22:5 Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
  25987. Luk 22:6 Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
  25988. Luk 22:7 Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
  25989. Luk 22:8 Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
  25990. Luk 22:9 Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
  25991. Luk 22:10 Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
  25992. Luk 22:11 Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
  25993. Luk 22:12 Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
  25994. Luk 22:13 Zvino vakaenda vakanowana sezvaaiva avaudza; ndokugadzirira pasika.
  25995. Luk 22:14 Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
  25996. Luk 22:15 Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
  25997. Luk 22:16 nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvika yazadziswa muushe hwaMwari.
  25998. Luk 22:17 Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
  25999. Luk 22:18 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvika ushe hwaMwari hwasvika.
  26000. Luk 22:19 Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.
  26001. Luk 22:20 Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
  26002. Luk 22:21 Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.
  26003. Luk 22:22 Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
  26004. Luk 22:23 Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.
  26005. Luk 22:24 Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.
  26006. Luk 22:25 Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
  26007. Luk 22:26 Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.
  26008. Luk 22:27 Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.
  26009. Luk 22:28 Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;
  26010. Luk 22:29 zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
  26011. Luk 22:30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
  26012. Luk 22:31 Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
  26013. Luk 22:32 asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
  26014. Luk 22:33 Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvose mutirongo nemurufu.
  26015. Luk 22:34 Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe harizoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
  26016. Luk 22:35 Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
  26017. Luk 22:36 Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
  26018. Luk 22:37 Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
  26019. Luk 22:38 Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
  26020. Luk 22:39 Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.
  26021. Luk 22:40 Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
  26022. Luk 22:41 Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,
  26023. Luk 22:42 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
  26024. Luk 22:43 Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
  26025. Luk 22:44 Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
  26026. Luk 22:45 Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
  26027. Luk 22:46 Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
  26028. Luk 22:47 Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
  26029. Luk 22:48 Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
  26030. Luk 22:49 Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
  26031. Luk 22:50 Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
  26032. Luk 22:51 Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
  26033. Luk 22:52 Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vaiva vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
  26034. Luk 22:53 Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi iro iawa renyu, nesimba rerima.
  26035. Luk 22:54 Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
  26036. Luk 22:55 Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
  26037. Luk 22:56 Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo waiva anaye.
  26038. Luk 22:57 Asi iye wakamurambira, achiti: Iwe Mukadzi, handimuzivi.
  26039. Luk 22:58 Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.
  26040. Luk 22:59 Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo waiva anaye; nokuti muGarireawo.
  26041. Luk 22:60 Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
  26042. Luk 22:61 Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
  26043. Luk 22:62 Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.
  26044. Luk 22:63 Zvino varume vaiva vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.
  26045. Luk 22:64 Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
  26046. Luk 22:65 Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.
  26047. Luk 22:66 Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota, vachiti:
  26048. Luk 22:67 Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
  26049. Luk 22:68 uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
  26050. Luk 22:69 Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
  26051. Luk 22:70 Vose ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
  26052. Luk 22:71 Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.
  26053. Luk 23:1 Zvino chaunga chavo chose chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
  26054. Luk 23:2 Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
  26055. Luk 23:3 Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
  26056. Luk 23:4 Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
  26057. Luk 23:5 Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, kutanga paGarirea kusvika pano.
  26058. Luk 23:6 Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
  26059. Luk 23:7 Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhi, wakamutumira kuna Herodhi, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
  26060. Luk 23:8 Zvino Herodhi paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti waiva anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
  26061. Luk 23:9 Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
  26062. Luk 23:10 Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
  26063. Luk 23:11 NaHerodhi nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.
  26064. Luk 23:12 Nemusi iwoyo Pirato naHerodhi vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.
  26065. Luk 23:13 Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
  26066. Luk 23:14 akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
  26067. Luk 23:15 kwete, kunyange Herodhi; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
  26068. Luk 23:16 Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
  26069. Luk 23:17 Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
  26070. Luk 23:18 Asi vose vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
  26071. Luk 23:19 Iye waiva akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo raiva raitika muguta uye neumhondi.
  26072. Luk 23:20 Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
  26073. Luk 23:21 Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
  26074. Luk 23:22 Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
  26075. Luk 23:23 Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Uye manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
  26076. Luk 23:24 Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.
  26077. Luk 23:25 Akavasunungurira uyo wavakakumbira, waiva akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
  26078. Luk 23:26 Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
  26079. Luk 23:27 Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
  26080. Luk 23:28 Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
  26081. Luk 23:29 nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.
  26082. Luk 23:30 Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
  26083. Luk 23:31 Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
  26084. Luk 23:32 Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
  26085. Luk 23:33 Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
  26086. Luk 23:34 Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
  26087. Luk 23:35 Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
  26088. Luk 23:36 Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,
  26089. Luk 23:37 uye vachiti: Kana iwe uri Mambo wevaJudha, zviponese.
  26090. Luk 23:38 Zvino kwaiva kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
  26091. Luk 23:39 Uye umwe wevaiti vezvakaipa vaiva vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
  26092. Luk 23:40 Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
  26093. Luk 23:41 Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
  26094. Luk 23:42 Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
  26095. Luk 23:43 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
  26096. Luk 23:44 Zvino raiva rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yose, kusvika paawa repfumbamwe.
  26097. Luk 23:45 Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
  26098. Luk 23:46 Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
  26099. Luk 23:47 Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu waiva akarurama.
  26100. Luk 23:48 Nezvaunga zvose zvaiva zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
  26101. Luk 23:49 Nevazikanwi vake vose, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
  26102. Luk 23:50 Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
  26103. Luk 23:51 iye waiva asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta revaJudha, naiyewo waiva achimirira ushe hwaMwari.
  26104. Luk 23:52 Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
  26105. Luk 23:53 Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva raiva rakacherwa pabwe, maiva musina kumboradzikwa munhu.
  26106. Luk 23:54 Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
  26107. Luk 23:55 Nevakadziwo, vaiva vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, uye kuti mutumbi wake waradzikwa sei.
  26108. Luk 23:56 Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.
  26109. Luk 24:1 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavaiva vagadzirira, nevamwe vanavo.
  26110. Luk 24:2 Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.
  26111. Luk 24:3 Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.
  26112. Luk 24:4 Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya.
  26113. Luk 24:5 Zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa?
  26114. Luk 24:6 Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,
  26115. Luk 24:7 achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.
  26116. Luk 24:8 Zvino vakarangarira mashoko ake.
  26117. Luk 24:9 Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvose kuvanegumi neumwe nekune vamwe vose.
  26118. Luk 24:10 Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.
  26119. Luk 24:11 Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.
  26120. Luk 24:12 Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvaiva zvaitika.
  26121. Luk 24:13 Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, waiva uri masitadhia makumi matanhatu kubva kuJerusarema.
  26122. Luk 24:14 Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvose zvaiva zvaitika.
  26123. Luk 24:15 Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,
  26124. Luk 24:16 asi meso avo aiva abatwa kuti vasamuziva.
  26125. Luk 24:17 Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara?
  26126. Luk 24:18 Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe woga mutorwa muJerusarema, uye hauzivi zvakaitikamo mumazuva ano here?
  26127. Luk 24:19 Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vose;
  26128. Luk 24:20 uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.
  26129. Luk 24:21 Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikinura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvose, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.
  26130. Luk 24:22 Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;
  26131. Luk 24:23 zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaonawo chiratidzo chevatumwa, vati mupenyu.
  26132. Luk 24:24 Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavaiva vareva; asi iye havana kumuona.
  26133. Luk 24:25 Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvose vaporofita zvavakataura!
  26134. Luk 24:26 Ko Kristu waiva asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?
  26135. Luk 24:27 Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vose, akadudzira kwavari mumagwaro ose zvinhu zviri maererano naye.
  26136. Luk 24:28 Zvino vakaswedera kumusha kwavaiva vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.
  26137. Luk 24:29 Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.
  26138. Luk 24:30 Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
  26139. Luk 24:31 Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.
  26140. Luk 24:32 Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?
  26141. Luk 24:33 Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana, nevaiva navo,
  26142. Luk 24:34 vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.
  26143. Luk 24:35 Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
  26144. Luk 24:36 Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
  26145. Luk 24:37 Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.
  26146. Luk 24:38 Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?
  26147. Luk 24:39 Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemapfupa, sezvamunoona ndinazvo.
  26148. Luk 24:40 Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.
  26149. Luk 24:41 Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?
  26150. Luk 24:42 Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.
  26151. Luk 24:43 Iye ndokutora akadya pamberi pavo.
  26152. Luk 24:44 Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.
  26153. Luk 24:45 Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
  26154. Luk 24:46 Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvo, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu,
  26155. Luk 24:47 uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
  26156. Luk 24:48 Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
  26157. Luk 24:49 Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvika mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
  26158. Luk 24:50 Zvino akavatungamirira kunze kusvika Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.
  26159. Luk 24:51 Zvino zvakaitika achivaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
  26160. Luk 24:52 Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;
  26161. Luk 24:53 uye vakagara nguva dzose mutembere, vachirumbidza nekuvonga Mwari. Ameni
  26162. Jhn 1:1 Pakutanga waiva aripo Shoko, uye Shoko waiva ana Mwari, uye Shoko waiva ari Mwari.
  26163. Jhn 1:2 Iye uyu waiva ana Mwari pakutanga.
  26164. Jhn 1:3 Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
  26165. Jhn 1:4 Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
  26166. Jhn 1:5 uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
  26167. Jhn 1:6 Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
  26168. Jhn 1:7 Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vose vatende naye.
  26169. Jhn 1:8 Iye waiva asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
  26170. Jhn 1:9 Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
  26171. Jhn 1:10 Waiva ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
  26172. Jhn 1:11 Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
  26173. Jhn 1:12 Asi vose vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
  26174. Jhn 1:13 vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
  26175. Jhn 1:14 Uye Shoko rakava nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe oga waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
  26176. Jhn 1:15 Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti waiva aripo mberi kwangu.
  26177. Jhn 1:16 Nepakuzara kwake isu tose takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
  26178. Jhn 1:17 Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
  26179. Jhn 1:18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe oga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
  26180. Jhn 1:19 Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vapristi nevaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
  26181. Jhn 1:20 Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
  26182. Jhn 1:21 Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
  26183. Jhn 1:22 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
  26184. Jhn 1:23 Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.
  26185. Jhn 1:24 Ava vaiva vatumwa vaibva kuvaFarisi.
  26186. Jhn 1:25 Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
  26187. Jhn 1:26 Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;
  26188. Jhn 1:27 ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
  26189. Jhn 1:28 Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
  26190. Jhn 1:29 Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
  26191. Jhn 1:30 Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti waiva ariko mberi kwangu.
  26192. Jhn 1:31 Neni ndaiva ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
  26193. Jhn 1:32 Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
  26194. Jhn 1:33 Neni ndaiva ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
  26195. Jhn 1:34 Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
  26196. Jhn 1:35 Ava mangwanazve Johwani waiva amire, nevaviri vevadzidzi vake;
  26197. Jhn 1:36 zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
  26198. Jhn 1:37 Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
  26199. Jhn 1:38 Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
  26200. Jhn 1:39 Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; raiva riri awa rinenge regumi.
  26201. Jhn 1:40 Andiriya munin’ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vaiva vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
  26202. Jhn 1:41 Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.
  26203. Jhn 1:42 Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
  26204. Jhn 1:43 Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
  26205. Jhn 1:44 Zvino Firipi waiva ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.
  26206. Jhn 1:45 Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo, nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
  26207. Jhn 1:46 Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
  26208. Jhn 1:47 Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
  26209. Jhn 1:48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.
  26210. Jhn 1:49 Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
  26211. Jhn 1:50 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
  26212. Jhn 1:51 Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.
  26213. Jhn 2:1 Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vaiva varipo.
  26214. Jhn 2:2 NaJesuwo waiva akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato.
  26215. Jhn 2:3 Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
  26216. Jhn 2:4 Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika.
  26217. Jhn 2:5 Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai.
  26218. Jhn 2:6 Zvino kwaiva kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu.
  26219. Jhn 2:7 Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvika pamuromo.
  26220. Jhn 2:8 Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura.
  26221. Jhn 2:9 Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vaiva vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani,
  26222. Jhn 2:10 ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvika zvino.
  26223. Jhn 2:11 Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
  26224. Jhn 2:12 Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin’ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazhinji.
  26225. Jhn 2:13 Zvino pasika yevaJudha yaiva yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.
  26226. Jhn 2:14 Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere.
  26227. Jhn 2:15 Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vose mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura.
  26228. Jhn 2:16 Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana.
  26229. Jhn 2:17 Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.
  26230. Jhn 2:18 Naizvozvo vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi?
  26231. Jhn 2:19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.
  26232. Jhn 2:20 Naizvozvo vaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here?
  26233. Jhn 2:21 Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.
  26234. Jhn 2:22 Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti waiva areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raaiva areva.
  26235. Jhn 2:23 Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.
  26236. Jhn 2:24 Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti waiva achivaziva vose.
  26237. Jhn 2:25 Uye nokuti waiva asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti waiva achiziva pachake zvaiva zviri mumunhu.
  26238. Jhn 3:1 Kwaiva nemunhu wekuvaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wevaJudha.
  26239. Jhn 3:2 Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.
  26240. Jhn 3:3 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.
  26241. Jhn 3:4 Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?
  26242. Jhn 3:5 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.
  26243. Jhn 3:6 Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.
  26244. Jhn 3:7 Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.
  26245. Jhn 3:8 Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wose wakaberekwa neMweya.
  26246. Jhn 3:9 Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?
  26247. Jhn 3:10 Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?
  26248. Jhn 3:11 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.
  26249. Jhn 3:12 Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?
  26250. Jhn 3:13 Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga.
  26251. Jhn 3:14 Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa;
  26252. Jhn 3:15 kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi.
  26253. Jhn 3:16 Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe oga, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi.
  26254. Jhn 3:17 Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.
  26255. Jhn 3:18 Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe oga.
  26256. Jhn 3:19 Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo aiva akaipa.
  26257. Jhn 3:20 Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.
  26258. Jhn 3:21 Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.
  26259. Jhn 3:22 Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza.
  26260. Jhn 3:23 NaJohwaniwo waiva achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.
  26261. Jhn 3:24 Nokuti Johwani waiva asati akandwa mutirongo.
  26262. Jhn 3:25 Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani nevaJudha pamusoro pekuchenura.
  26263. Jhn 3:26 Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.
  26264. Jhn 3:27 Johwani akapindura ndokuti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.
  26265. Jhn 3:28 Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.
  26266. Jhn 3:29 Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.
  26267. Jhn 3:30 Iye anofanira kukura, asi ini kuderedzwa.
  26268. Jhn 3:31 Anobva kumusoro ari pamusoro pezvose. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvose.
  26269. Jhn 3:32 Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.
  26270. Jhn 3:33 Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.
  26271. Jhn 3:34 Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero.
  26272. Jhn 3:35 Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvose muruoko rwake.
  26273. Jhn 3:36 Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
  26274. Jhn 4:1 Naizvozvo Ishe paakaziva kuti vaFarisi vaiva vanzwa kuti Jesu anoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,
  26275. Jhn 4:2 kunyange Jesu pachake waiva asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,
  26276. Jhn 4:3 akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.
  26277. Jhn 4:4 Asi waiva achifanira kugura neSamariya.
  26278. Jhn 4:5 Zvino wakasvika paguta reSamariya rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raaiva apa Josefa mwanakomana wake.
  26279. Jhn 4:6 Zvino chitubu chaJakobho chaiva chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo pachitubu. Raiva awa rinenge rechitanhatu.
  26280. Jhn 4:7 Kwakasvika mukadzi achibva muSamariya kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndinwe.
  26281. Jhn 4:8 (Nokuti vadzidzi vake vaiva vaenda muguta kunotenga kudya).
  26282. Jhn 4:9 Naizvozvo mukadzi ari muSamariya wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kunwa kwandiri, mukadzi muSamariya? Nokuti vaJudha havadyidzani nevaSamariya.
  26283. Jhn 4:10 Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri: Ndipe ndinwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.
  26284. Jhn 4:11 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munoitora kupi mvura mhenyu?
  26285. Jhn 4:12 Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakanwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?
  26286. Jhn 4:13 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani anonwa pamvura iyi, achava nenyotazve;
  26287. Jhn 4:14 asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi.
  26288. Jhn 4:15 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.
  26289. Jhn 4:16 Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.
  26290. Jhn 4:17 Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.
  26291. Jhn 4:18 Nokuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haasi murume wako; apa wareva chokwadi.
  26292. Jhn 4:19 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.
  26293. Jhn 4:20 Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo munzvimbo munhu yaanofanira kunamatapo.
  26294. Jhn 4:21 Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.
  26295. Jhn 4:22 Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nokuti ruponeso rwunobva kuvaJudha.
  26296. Jhn 4:23 Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi; nokutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate.
  26297. Jhn 4:24 Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.
  26298. Jhn 4:25 Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi anouya anonzi Kristu; kana iye asvika, achatiudza zvinhu zvose.
  26299. Jhn 4:26 Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.
  26300. Jhn 4:27 Zvino nenguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti anotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?
  26301. Jhn 4:28 Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:
  26302. Jhn 4:29 Uyai, muone munhu wandiudza zvinhu zvose zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?
  26303. Jhn 4:30 Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.
  26304. Jhn 4:31 Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi, idyai.
  26305. Jhn 4:32 Asi iye wakati kwavari: Ini ndine kudya kwekudya kwamusingazivi imwi.
  26306. Jhn 4:33 Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvekudya?
  26307. Jhn 4:34 Jesu akati kwavari: Zvekudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.
  26308. Jhn 4:35 Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.
  26309. Jhn 4:36 Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe.
  26310. Jhn 4:37 Nokuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe anokusha, uye umwe anokohwa.
  26311. Jhn 4:38 Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.
  26312. Jhn 4:39 Zvino vazhinji vevaSamariya kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, akapupura achiti: Wandiudza zvose zvandakaita.
  26313. Jhn 4:40 Zvino vaSamariya vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.
  26314. Jhn 4:41 Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.
  26315. Jhn 4:42 Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nokuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.
  26316. Jhn 4:43 Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda kuGarirea;
  26317. Jhn 4:44 nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.
  26318. Jhn 4:45 Zvino wakati asvika kuGarirea, vaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvose zvaakaita paJerusarema pamabiko, nokuti naivo vaiva vaenda kumabiko.
  26319. Jhn 4:46 Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paaiva aita mvura ive waini. Zvino paiva pane rimwe jinda, mwanakomana waro waiva achirwara paKapenaume.
  26320. Jhn 4:47 Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika kuGarirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nokuti waiva odofa.
  26321. Jhn 4:48 Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
  26322. Jhn 4:49 Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.
  26323. Jhn 4:50 Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako anorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.
  26324. Jhn 4:51 Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu anorarama.
  26325. Jhn 4:52 Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.
  26326. Jhn 4:53 Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako anorarama; zvino akatenda iye neimba yake yose.
  26327. Jhn 4:54 Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.
  26328. Jhn 5:1 Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo wevaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.
  26329. Jhn 5:2 Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetesidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.
  26330. Jhn 5:3 Mukati mawo maiva murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
  26331. Jhn 5:4 Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.
  26332. Jhn 5:5 Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.
  26333. Jhn 5:6 Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino waiva ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
  26334. Jhn 5:7 Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu.
  26335. Jhn 5:8 Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.
  26336. Jhn 5:9 Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.
  26337. Jhn 5:10 Naizvozvo vaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.
  26338. Jhn 5:11 Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe.
  26339. Jhn 5:12 Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?
  26340. Jhn 5:13 Zvino waiva aporeswa waiva asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu waiva asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo.
  26341. Jhn 5:14 Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.
  26342. Jhn 5:15 Munhu akabva, akaudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.
  26343. Jhn 5:16 Zvino nekuda kweizvozvo vaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.
  26344. Jhn 5:17 Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvika ikozvino, neni ndinoshanda.
  26345. Jhn 5:18 Naizvozvo nekuda kweizvi vaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti waiva asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.
  26346. Jhn 5:19 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.
  26347. Jhn 5:20 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.
  26348. Jhn 5:21 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda.
  26349. Jhn 5:22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose;
  26350. Jhn 5:23 kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
  26351. Jhn 5:24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu.
  26352. Jhn 5:25 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.
  26353. Jhn 5:26 Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;
  26354. Jhn 5:27 uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti ndiye Mwanakomana wemunhu.
  26355. Jhn 5:28 Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vose vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,
  26356. Jhn 5:29 zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.
  26357. Jhn 5:30 Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.
  26358. Jhn 5:31 Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.
  26359. Jhn 5:32 Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi.
  26360. Jhn 5:33 Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.
  26361. Jhn 5:34 Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.
  26362. Jhn 5:35 Iye waiva ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi maiva muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.
  26363. Jhn 5:36 Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.
  26364. Jhn 5:37 NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.
  26365. Jhn 5:38 Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.
  26366. Jhn 5:39 Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.
  26367. Jhn 5:40 Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.
  26368. Jhn 5:41 Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;
  26369. Jhn 5:42 asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.
  26370. Jhn 5:43 Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.
  26371. Jhn 5:44 Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari oga?
  26372. Jhn 5:45 Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.
  26373. Jhn 5:46 Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu.
  26374. Jhn 5:47 Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?
  26375. Jhn 6:1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.
  26376. Jhn 6:2 Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.
  26377. Jhn 6:3 Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.
  26378. Jhn 6:4 Zvino pasika, mutambo wevaJudha, waiva waswedera.
  26379. Jhn 6:5 Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?
  26380. Jhn 6:6 Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita.
  26381. Jhn 6:7 Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki.
  26382. Jhn 6:8 Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin’ina waSimoni Petro, akati kwaari:
  26383. Jhn 6:9 Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai?
  26384. Jhn 6:10 Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwaiva kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.
  26385. Jhn 6:11 Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vaiva vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.
  26386. Jhn 6:12 Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu.
  26387. Jhn 6:13 Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.
  26388. Jhn 6:14 Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika.
  26389. Jhn 6:15 Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari oga.
  26390. Jhn 6:16 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
  26391. Jhn 6:17 zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwaiva kwatosviba, asi Jesu waiva asati asvika kwavari.
  26392. Jhn 6:18 Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta.
  26393. Jhn 6:19 Zvino vakati vakwasva masitadhiya anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.
  26394. Jhn 6:20 Asi wakati kwavari: Ndini, musatya.
  26395. Jhn 6:21 Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavaiva vachienda.
  26396. Jhn 6:22 Chifume chaunga chaiva chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti paiva pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe maiva mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vaiva vaenda vega,
  26397. Jhn 6:23 (asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga);
  26398. Jhn 6:24 naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu waiva asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu.
  26399. Jhn 6:25 Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi, masvika pano rinhi?
  26400. Jhn 6:26 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta.
  26401. Jhn 6:27 Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo.
  26402. Jhn 6:28 Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?
  26403. Jhn 6:29 Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.
  26404. Jhn 6:30 Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei?
  26405. Jhn 6:31 Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.
  26406. Jhn 6:32 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
  26407. Jhn 6:33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.
  26408. Jhn 6:34 Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzose.
  26409. Jhn 6:35 Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
  26410. Jhn 6:36 Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.
  26411. Jhn 6:37 Wose Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
  26412. Jhn 6:38 Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.
  26413. Jhn 6:39 Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chose chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.
  26414. Jhn 6:40 Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wose anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
  26415. Jhn 6:41 Zvino vaJudha vakagunun’una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
  26416. Jhn 6:42 Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga?
  26417. Jhn 6:43 Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun’una pakati penyu.
  26418. Jhn 6:44 Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
  26419. Jhn 6:45 Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vose naMwari. Wose naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri.
  26420. Jhn 6:46 Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba.
  26421. Jhn 6:47 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi.
  26422. Jhn 6:48 Ini ndiri chingwa cheupenyu.
  26423. Jhn 6:49 Madzibaba enyu akadya mana murenje, asi akafa.
  26424. Jhn 6:50 Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.
  26425. Jhn 6:51 Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika.
  26426. Jhn 6:52 Naizvozvo vaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye?
  26427. Jhn 6:53 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
  26428. Jhn 6:54 Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
  26429. Jhn 6:55 Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo.
  26430. Jhn 6:56 Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari.
  26431. Jhn 6:57 Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni.
  26432. Jhn 6:58 Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi.
  26433. Jhn 6:59 Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.
  26434. Jhn 6:60 Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa?
  26435. Jhn 6:61 Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun’una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
  26436. Jhn 6:62 Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
  26437. Jhn 6:63 Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.
  26438. Jhn 6:64 Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu waiva achiziva kubva pakutanga kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.
  26439. Jhn 6:65 Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu.
  26440. Jhn 6:66 Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.
  26441. Jhn 6:67 Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?
  26442. Jhn 6:68 Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi,
  26443. Jhn 6:69 uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
  26444. Jhn 6:70 Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi?
  26445. Jhn 6:71 Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.
  26446. Jhn 7:1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti waiva asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti vaJudha vaiva vachitsvaka kumuuraya.
  26447. Jhn 7:2 Zvino mutambo wevaJudha, mutambo wematende waiva waswedera.
  26448. Jhn 7:3 Naizvozvo vanin’ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.
  26449. Jhn 7:4 Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivanze, iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
  26450. Jhn 7:5 Nokuti kunyange vanin’ina vake vaiva vasingatendi kwaari.
  26451. Jhn 7:6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
  26452. Jhn 7:7 Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.
  26453. Jhn 7:8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika.
  26454. Jhn 7:9 Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.
  26455. Jhn 7:10 Asi vanin’ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.
  26456. Jhn 7:11 Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya?
  26457. Jhn 7:12 Kwakavapo kun’un’una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake. Vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga.
  26458. Jhn 7:13 Kunyange zvakadaro kwaiva kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya vaJudha.
  26459. Jhn 7:14 Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.
  26460. Jhn 7:15 Zvino vaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza?
  26461. Jhn 7:16 Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma.
  26462. Jhn 7:17 Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu.
  26463. Jhn 7:18 Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
  26464. Jhn 7:19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?
  26465. Jhn 7:20 Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya?
  26466. Jhn 7:21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mose.
  26467. Jhn 7:22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.
  26468. Jhn 7:23 Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?
  26469. Jhn 7:24 Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.
  26470. Jhn 7:25 Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here?
  26471. Jhn 7:26 Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Ko vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?
  26472. Jhn 7:27 Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva.
  26473. Jhn 7:28 Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.
  26474. Jhn 7:29 Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.
  26475. Jhn 7:30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake raiva risati rasvika.
  26476. Jhn 7:31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?
  26477. Jhn 7:32 VaFarisi vakanzwa chaunga chichin’un’una zvinhu izvi pamusoro pake; vaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.
  26478. Jhn 7:33 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.
  26479. Jhn 7:34 Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.
  26480. Jhn 7:35 Naizvozvo vaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira vevaGiriki, adzidzise vaGiriki here?
  26481. Jhn 7:36 Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?
  26482. Jhn 7:37 Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe.
  26483. Jhn 7:38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.
  26484. Jhn 7:39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene waiva asati avapo, nokuti Jesu waiva asati akudzwa.
  26485. Jhn 7:40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.
  26486. Jhn 7:41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here?
  26487. Jhn 7:42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBheterehemu paiva naDhavhidhi?
  26488. Jhn 7:43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.
  26489. Jhn 7:44 Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.
  26490. Jhn 7:45 Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru nevaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?
  26491. Jhn 7:46 Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.
  26492. Jhn 7:47 Zvino vaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?
  26493. Jhn 7:48 Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuvaFarisi?
  26494. Jhn 7:49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.
  26495. Jhn 7:50 Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:
  26496. Jhn 7:51 Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?
  26497. Jhn 7:52 Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.
  26498. Jhn 7:53 Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.
  26499. Jhn 8:1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
  26500. Jhn 8:2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vose ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
  26501. Jhn 8:3 Zvino vanyori nevaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
  26502. Jhn 8:4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
  26503. Jhn 8:5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
  26504. Jhn 8:6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.
  26505. Jhn 8:7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
  26506. Jhn 8:8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
  26507. Jhn 8:9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvika kune vekupedzisira; Jesu akasara ari oga, nemukadzi amire pakati.
  26508. Jhn 8:10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
  26509. Jhn 8:11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
  26510. Jhn 8:12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.
  26511. Jhn 8:13 Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
  26512. Jhn 8:14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
  26513. Jhn 8:15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
  26514. Jhn 8:16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.
  26515. Jhn 8:17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
  26516. Jhn 8:18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
  26517. Jhn 8:19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
  26518. Jhn 8:20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake raiva risati rasvika.
  26519. Jhn 8:21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, uye mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
  26520. Jhn 8:22 Naizvozvo vaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?
  26521. Jhn 8:23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
  26522. Jhn 8:24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
  26523. Jhn 8:25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
  26524. Jhn 8:26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
  26525. Jhn 8:27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.
  26526. Jhn 8:28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
  26527. Jhn 8:29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinovafadza.
  26528. Jhn 8:30 Achiri kutaura izvi, vazhinji vakatenda kwaari.
  26529. Jhn 8:31 Naizvozvo Jesu wakati kuvaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
  26530. Jhn 8:32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
  26531. Jhn 8:33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?
  26532. Jhn 8:34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.
  26533. Jhn 8:35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi.
  26534. Jhn 8:36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
  26535. Jhn 8:37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
  26536. Jhn 8:38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
  26537. Jhn 8:39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.
  26538. Jhn 8:40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.
  26539. Jhn 8:41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
  26540. Jhn 8:42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
  26541. Jhn 8:43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
  26542. Jhn 8:44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye waiva ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
  26543. Jhn 8:45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
  26544. Jhn 8:46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
  26545. Jhn 8:47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.
  26546. Jhn 8:48 Naizvozvo vaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamariya, uye une dhimoni?
  26547. Jhn 8:49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
  26548. Jhn 8:50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.
  26549. Jhn 8:51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.
  26550. Jhn 8:52 Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.
  26551. Jhn 8:53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama vakafa here? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
  26552. Jhn 8:54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
  26553. Jhn 8:55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva; uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
  26554. Jhn 8:56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
  26555. Jhn 8:57 Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?
  26556. Jhn 8:58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.
  26557. Jhn 8:59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.
  26558. Jhn 9:1 Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.
  26559. Jhn 9:2 Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?
  26560. Jhn 9:3 Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
  26561. Jhn 9:4 Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
  26562. Jhn 9:5 Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
  26563. Jhn 9:6 Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,
  26564. Jhn 9:7 akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.
  26565. Jhn 9:8 Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti waiva ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here?
  26566. Jhn 9:9 Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.
  26567. Jhn 9:10 Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?
  26568. Jhn 9:11 Iye akapindura akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.
  26569. Jhn 9:12 Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi.
  26570. Jhn 9:13 Vakamuisa kuvaFarisi, iye waimbova bofu.
  26571. Jhn 9:14 Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.
  26572. Jhn 9:15 Naizvozvo zvekare vaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona.
  26573. Jhn 9:16 Naizvozvo vamwe vevaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.
  26574. Jhn 9:17 Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
  26575. Jhn 9:18 Zvino vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti waiva ari bofu, akaonazve, kusvika vadana vabereki vewakaonazve.
  26576. Jhn 9:19 Zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei?
  26577. Jhn 9:20 Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
  26578. Jhn 9:21 asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira.
  26579. Jhn 9:22 Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya vaJudha; nokuti vaJudha vaiva vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
  26580. Jhn 9:23 Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
  26581. Jhn 9:24 Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu waiva ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
  26582. Jhn 9:25 Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.
  26583. Jhn 9:26 Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
  26584. Jhn 9:27 Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?
  26585. Jhn 9:28 Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
  26586. Jhn 9:29 Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.
  26587. Jhn 9:30 Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.
  26588. Jhn 9:31 Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa.
  26589. Jhn 9:32 Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu.
  26590. Jhn 9:33 Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu.
  26591. Jhn 9:34 Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachose wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
  26592. Jhn 9:35 Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?
  26593. Jhn 9:36 Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?
  26594. Jhn 9:37 Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye.
  26595. Jhn 9:38 Zvino akati: Ishe ndinotenda. Akamunamata.
  26596. Jhn 9:39 Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.
  26597. Jhn 9:40 Uye avo vevaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?
  26598. Jhn 9:41 Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara.
  26599. Jhn 10:1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
  26600. Jhn 10:2 Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
  26601. Jhn 10:3 Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
  26602. Jhn 10:4 Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
  26603. Jhn 10:5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.
  26604. Jhn 10:6 Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
  26605. Jhn 10:7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
  26606. Jhn 10:8 vose vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
  26607. Jhn 10:9 Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
  26608. Jhn 10:10 Mbavha haiuyi asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.
  26609. Jhn 10:11 Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.
  26610. Jhn 10:12 Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
  26611. Jhn 10:13 Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
  26612. Jhn 10:14 Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.
  26613. Jhn 10:15 Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
  26614. Jhn 10:16 Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe, mufudzi umwe.
  26615. Jhn 10:17 Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.
  26616. Jhn 10:18 Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
  26617. Jhn 10:19 Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati pevaJudha nekuda kwemashoko awa.
  26618. Jhn 10:20 Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?
  26619. Jhn 10:21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
  26620. Jhn 10:22 Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
  26621. Jhn 10:23 Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
  26622. Jhn 10:24 Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvika rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
  26623. Jhn 10:25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
  26624. Jhn 10:26 asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
  26625. Jhn 10:27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
  26626. Jhn 10:28 uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu.
  26627. Jhn 10:29 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vose; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
  26628. Jhn 10:30 Ini naBaba tiri umwe.
  26629. Jhn 10:31 Naizvozvo vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
  26630. Jhn 10:32 Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
  26631. Jhn 10:33 VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
  26632. Jhn 10:34 Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
  26633. Jhn 10:35 Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
  26634. Jhn 10:36 imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
  26635. Jhn 10:37 Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
  26636. Jhn 10:38 Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
  26637. Jhn 10:39 Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
  26638. Jhn 10:40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
  26639. Jhn 10:41 Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chose Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
  26640. Jhn 10:42 Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.
  26641. Jhn 11:1 Kwaiva neumwe wairwara, [wainzi] Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita.
  26642. Jhn 11:2 Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro waiva achirwara.
  26643. Jhn 11:3 Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda anorwara.
  26644. Jhn 11:4 Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhu hahusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo.
  26645. Jhn 11:5 Zvino Jesu waiva achida Marita nemunin’ina wake naRazaro.
  26646. Jhn 11:6 Naizvozvo wakati anzwa kuti anorwara, ipapo akagara mazuva maviri panzvimbo paaiva ari.
  26647. Jhn 11:7 Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve kuJudhiya.
  26648. Jhn 11:8 Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi, vaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here?
  26649. Jhn 11:9 Jesu akapindura akati: Hapana maawa gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino.
  26650. Jhn 11:10 Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hamuna chiedza maari.
  26651. Jhn 11:11 Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse.
  26652. Jhn 11:12 Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, achanaya.
  26653. Jhn 11:13 Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti anoreva zvekuzorora kwehope.
  26654. Jhn 11:14 Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa.
  26655. Jhn 11:15 Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndaiva ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari.
  26656. Jhn 11:16 Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuvadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.
  26657. Jhn 11:17 Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana.
  26658. Jhn 11:18 Zvino Bhetaniya raiva riri pedo neJerusarema, masitadhiya anenge gumi nemashanu kubva ipapo;
  26659. Jhn 11:19 nevazhinji vevaJudha vaiva vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.
  26660. Jhn 11:20 Zvino Marita wakati anzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.
  26661. Jhn 11:21 Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
  26662. Jhn 11:22 Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.
  26663. Jhn 11:23 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.
  26664. Jhn 11:24 Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira.
  26665. Jhn 11:25 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama;
  26666. Jhn 11:26 uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here?
  26667. Jhn 11:27 Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.
  26668. Jhn 11:28 Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin’ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, anokudana.
  26669. Jhn 11:29 Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.
  26670. Jhn 11:30 Zvino Jesu waiva asati asvika pamusha, asi waiva ari panzvimbo Marita paakamuchingamidza.
  26671. Jhn 11:31 Naizvozvo vaJudha vaiva vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Anoenda kuguva kuti acheme ikoko.
  26672. Jhn 11:32 Zvino Maria, wakati achisvika paiva pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
  26673. Jhn 11:33 Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, vaJudhawo vachichema vaiva vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza,
  26674. Jhn 11:34 akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone.
  26675. Jhn 11:35 Jesu akachema misodzi.
  26676. Jhn 11:36 Zvino vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.
  26677. Jhn 11:37 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?
  26678. Jhn 11:38 Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe raiva rakaradzikwa pamusoro paro.
  26679. Jhn 11:39 Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nokuti ane mazuva mana.
  26680. Jhn 11:40 Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?
  26681. Jhn 11:41 Naizvozvo vakabvisa ibwe, paiva paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai kuti mandinzwa.
  26682. Jhn 11:42 Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzose; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma.
  26683. Jhn 11:43 Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
  26684. Jhn 11:44 Uyo waiva afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.
  26685. Jhn 11:45 Naizvozvo vazhinji vevaJudha, vaiva vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari.
  26686. Jhn 11:46 Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaaiva aita.
  26687. Jhn 11:47 Naizvozvo vapristi vakuru nevaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nokuti uyu munhu anoita zviratidzo zvizhinji.
  26688. Jhn 11:48 Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; nevaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu.
  26689. Jhn 11:49 Asi umwe wavo, Kayafasi, waiva ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,
  26690. Jhn 11:50 uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwose rurege kuparara.
  26691. Jhn 11:51 Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaaiva ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo,
  26692. Jhn 11:52 uye kwete rudzi urwo rwega, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe.
  26693. Jhn 11:53 Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.
  26694. Jhn 11:54 Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati pevaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.
  26695. Jhn 11:55 Zvino pasika yevaJudha yaiva yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure.
  26696. Jhn 11:56 Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here?
  26697. Jhn 11:57 Zvino vose vapristi vakuru nevaFarisi vaiva vapa murairo kuti kana kune anoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.
  26698. Jhn 12:1 Zvino mazuva matanhatu pasika isati [yasvika] Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro waiva afa, waakamutsa kubva kuvakafa.
  26699. Jhn 12:2 Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro waiva ari umwe wevaiva vagere naye pakudya.
  26700. Jhn 12:3 Zvino Maria akatora paundi yemafuta enadhi amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.
  26701. Jhn 12:4 Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni waiva achazomutengesa, akati:
  26702. Jhn 12:5 Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario mazana matatu, akapiwa varombo?
  26703. Jhn 12:6 Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.
  26704. Jhn 12:7 Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.
  26705. Jhn 12:8 Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
  26706. Jhn 12:9 Naizvozvo chaunga chikuru chevaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waaiva amutsa kubva kuvakafa.
  26707. Jhn 12:10 Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;
  26708. Jhn 12:11 nokuti nekuda kwake vazhinji vevaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.
  26709. Jhn 12:12 Chifume chaunga chikuru chaiva chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema,
  26710. Jhn 12:13 vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.
  26711. Jhn 12:14 Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
  26712. Jhn 12:15 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro.
  26713. Jhn 12:16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvaiva zvakanyorwa pamusoro pake, uye vaiva vamuitira zvinhu izvi.
  26714. Jhn 12:17 Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura.
  26715. Jhn 12:18 Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vaiva vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.
  26716. Jhn 12:19 Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
  26717. Jhn 12:20 Zvino kwaiva nevamwe vaGiriki pakati pevaiva vakwira kuti vanonamata kumutambo;
  26718. Jhn 12:21 ava ndokuuya kuna Firipi aibva Bhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.
  26719. Jhn 12:22 Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu.
  26720. Jhn 12:23 Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.
  26721. Jhn 12:24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
  26722. Jhn 12:25 Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvika kuupenyu husingaperi.
  26723. Jhn 12:26 Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.
  26724. Jhn 12:27 Ikozvino mweya weupenyu wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino.
  26725. Jhn 12:28 Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve.
  26726. Jhn 12:29 Naizvozvo chaunga chaiva chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
  26727. Jhn 12:30 Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.
  26728. Jhn 12:31 Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze.
  26729. Jhn 12:32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.
  26730. Jhn 12:33 Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.
  26731. Jhn 12:34 Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?
  26732. Jhn 12:35 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda.
  26733. Jhn 12:36 Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.
  26734. Jhn 12:37 Kunyange aiva aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
  26735. Jhn 12:38 kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?
  26736. Jhn 12:39 Naizvozvo vaiva vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:
  26737. Jhn 12:40 Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.
  26738. Jhn 12:41 Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.
  26739. Jhn 12:42 Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kwevaFarisi vaiva vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
  26740. Jhn 12:43 nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.
  26741. Jhn 12:44 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.
  26742. Jhn 12:45 Neanoona ini, anoona wakandituma.
  26743. Jhn 12:46 Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima.
  26744. Jhn 12:47 Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.
  26745. Jhn 12:48 Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.
  26746. Jhn 12:49 Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
  26747. Jhn 12:50 Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.
  26748. Jhn 13:1 Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvika pamagumo.
  26749. Jhn 13:2 Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,
  26750. Jhn 13:3 Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumaoko, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,
  26751. Jhn 13:4 akasimuka kubva pachirairo, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.
  26752. Jhn 13:5 Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waaiva akamonerwa nawo.
  26753. Jhn 13:6 Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?
  26754. Jhn 13:7 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.
  26755. Jhn 13:8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.
  26756. Jhn 13:9 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzega, asi maokowo nemusoro.
  26757. Jhn 13:10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mose.
  26758. Jhn 13:11 Nokuti waiva achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mose.
  26759. Jhn 13:12 Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?
  26760. Jhn 13:13 Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye Ishe; uye munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.
  26761. Jhn 13:14 Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
  26762. Jhn 13:15 Nokuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.
  26763. Jhn 13:16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.
  26764. Jhn 13:17 Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
  26765. Jhn 13:18 Handitauri maererano nemwi mose; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, rwunoti: Anodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.
  26766. Jhn 13:19 Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.
  26767. Jhn 13:20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anogamuchira ani nani wandinotuma, anogamuchira ini; neanogamuchira ini, anogamuchira wakandituma.
  26768. Jhn 13:21 Jesu wakati areva izvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.
  26769. Jhn 13:22 Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vasina chokwadi kuti wataura pamusoro paani.
  26770. Jhn 13:23 Zvino kwaiva kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;
  26771. Jhn 13:24 naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.
  26772. Jhn 13:25 Iyewo achizendamira pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?
  26773. Jhn 13:26 Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
  26774. Jhn 13:27 Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
  26775. Jhn 13:28 Asi hakuna kune vaiva vagere pakudya wakaziva kuti wakareverei izvi kwaari.
  26776. Jhn 13:29 Nokuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
  26777. Jhn 13:30 Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwaiva huri usiku.
  26778. Jhn 13:31 Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.
  26779. Jhn 13:32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.
  26780. Jhn 13:33 Vana vadiki, ndichinemwi chinguva chidiki. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako; ndinorevawo kwamuri ikozvino.
  26781. Jhn 13:34 Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.
  26782. Jhn 13:35 Pane izvi vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.
  26783. Jhn 13:36 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.
  26784. Jhn 13:37 Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.
  26785. Jhn 13:38 Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako pasi ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvika wandiramba katatu.
  26786. Jhn 14:1 Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
  26787. Jhn 14:2 Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
  26788. Jhn 14:3 Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
  26789. Jhn 14:4 Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
  26790. Jhn 14:5 Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
  26791. Jhn 14:6 Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nemandiri.
  26792. Jhn 14:7 Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
  26793. Jhn 14:8 Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
  26794. Jhn 14:9 Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
  26795. Jhn 14:10 Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
  26796. Jhn 14:11 Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.
  26797. Jhn 14:12 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
  26798. Jhn 14:13 Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
  26799. Jhn 14:14 Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
  26800. Jhn 14:15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
  26801. Jhn 14:16 Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi,
  26802. Jhn 14:17 Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
  26803. Jhn 14:18 Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.
  26804. Jhn 14:19 Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama.
  26805. Jhn 14:20 Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
  26806. Jhn 14:21 Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
  26807. Jhn 14:22 Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
  26808. Jhn 14:23 Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
  26809. Jhn 14:24 Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma.
  26810. Jhn 14:25 Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
  26811. Jhn 14:26 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyeudzirei zvose zvandakataura kwamuri.
  26812. Jhn 14:27 Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya.
  26813. Jhn 14:28 Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
  26814. Jhn 14:29 Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda.
  26815. Jhn 14:30 Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri;
  26816. Jhn 14:31 asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.
  26817. Jhn 15:1 Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
  26818. Jhn 15:2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.
  26819. Jhn 15:3 Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.
  26820. Jhn 15:4 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo kwete nemwi, kana musingagari mandiri.
  26821. Jhn 15:5 Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
  26822. Jhn 15:6 Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.
  26823. Jhn 15:7 Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.
  26824. Jhn 15:8 Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
  26825. Jhn 15:9 Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.
  26826. Jhn 15:10 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
  26827. Jhn 15:11 Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.
  26828. Jhn 15:12 Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
  26829. Jhn 15:13 Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
  26830. Jhn 15:14 Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.
  26831. Jhn 15:15 Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.
  26832. Jhn 15:16 Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.
  26833. Jhn 15:17 Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
  26834. Jhn 15:18 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.
  26835. Jhn 15:19 Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
  26836. Jhn 15:20 Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.
  26837. Jhn 15:21 Asi izvi zvose vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma.
  26838. Jhn 15:22 Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.
  26839. Jhn 15:23 Anondivenga, anovenga Baba vanguwo.
  26840. Jhn 15:24 Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.
  26841. Jhn 15:25 Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.
  26842. Jhn 15:26 Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu.
  26843. Jhn 15:27 Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.
  26844. Jhn 16:1 Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
  26845. Jhn 16:2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.
  26846. Jhn 16:3 Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.
  26847. Jhn 16:4 Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
  26848. Jhn 16:5 Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
  26849. Jhn 16:6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
  26850. Jhn 16:7 Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
  26851. Jhn 16:8 Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
  26852. Jhn 16:9 zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;
  26853. Jhn 16:10 uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;
  26854. Jhn 16:11 uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
  26855. Jhn 16:12 Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
  26856. Jhn 16:13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chose; nokuti haazozvitauriri pachake, asi choga choga chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.
  26857. Jhn 16:14 Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.
  26858. Jhn 16:15 Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.
  26859. Jhn 16:16 Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.
  26860. Jhn 16:17 Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?
  26861. Jhn 16:18 Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
  26862. Jhn 16:19 Zvino Jesu waiziva kuti vaiva vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
  26863. Jhn 16:20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
  26864. Jhn 16:21 Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
  26865. Jhn 16:22 Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.
  26866. Jhn 16:23 Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
  26867. Jhn 16:24 Kusvika ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
  26868. Jhn 16:25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
  26869. Jhn 16:26 Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
  26870. Jhn 16:27 nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
  26871. Jhn 16:28 Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
  26872. Jhn 16:29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.
  26873. Jhn 16:30 Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvose, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
  26874. Jhn 16:31 Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
  26875. Jhn 16:32 Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.
  26876. Jhn 16:33 Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.
  26877. Jhn 17:1 Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;
  26878. Jhn 17:2 sezvo makamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi.
  26879. Jhn 17:3 Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.
  26880. Jhn 17:4 Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;
  26881. Jhn 17:5 uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.
  26882. Jhn 17:6 Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vaiva vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.
  26883. Jhn 17:7 Ikozvino voziva kuti zvose-zvose zvamakandipa, zvinobva kwamuri;
  26884. Jhn 17:8 nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.
  26885. Jhn 17:9 Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu;
  26886. Jhn 17:10 uye zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.
  26887. Jhn 17:11 Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
  26888. Jhn 17:12 Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe.
  26889. Jhn 17:13 Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.
  26890. Jhn 17:14 Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
  26891. Jhn 17:15 Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.
  26892. Jhn 17:16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
  26893. Jhn 17:17 Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.
  26894. Jhn 17:18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika.
  26895. Jhn 17:19 Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.
  26896. Jhn 17:20 Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;
  26897. Jhn 17:21 kuti vose vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.
  26898. Jhn 17:22 Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.
  26899. Jhn 17:23 Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.
  26900. Jhn 17:24 Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo.
  26901. Jhn 17:25 Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;
  26902. Jhn 17:26 uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.
  26903. Jhn 18:1 Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.
  26904. Jhn 18:2 NaJudhasiwo, wakamutengesa, waiva achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake.
  26905. Jhn 18:3 Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru nevaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo.
  26906. Jhn 18:4 Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvose zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka?
  26907. Jhn 18:5 Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa waiva amire navo.
  26908. Jhn 18:6 Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi.
  26909. Jhn 18:7 Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta.
  26910. Jhn 18:8 Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;
  26911. Jhn 18:9 kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo.
  26912. Jhn 18:10 Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi.
  26913. Jhn 18:11 Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here?
  26914. Jhn 18:12 Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa evaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,
  26915. Jhn 18:13 ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti waiva ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro.
  26916. Jhn 18:14 Zvino Kayafasi ndiye waiva araira vaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.
  26917. Jhn 18:15 Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru;
  26918. Jhn 18:16 asi Petro waiva amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro.
  26919. Jhn 18:17 Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi.
  26920. Jhn 18:18 Zvino varanda nemapurisa vaiva vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.
  26921. Jhn 18:19 Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake.
  26922. Jhn 18:20 Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzose musinagoge nemutembere, panoungana vaJudha nguva dzose, uye handina kureva chinhu pakavanda.
  26923. Jhn 18:21 Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva.
  26924. Jhn 18:22 Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa waiva amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo?
  26925. Jhn 18:23 Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei?
  26926. Jhn 18:24 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.
  26927. Jhn 18:25 Zvino Simoni Petro waiva amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.
  26928. Jhn 18:26 Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here?
  26929. Jhn 18:27 Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.
  26930. Jhn 18:28 Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika.
  26931. Jhn 18:29 Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu?
  26932. Jhn 18:30 Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.
  26933. Jhn 18:31 Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu;
  26934. Jhn 18:32 kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.
  26935. Jhn 18:33 Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wevaJudha here?
  26936. Jhn 18:34 Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu?
  26937. Jhn 18:35 Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei?
  26938. Jhn 18:36 Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano.
  26939. Jhn 18:37 Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu.
  26940. Jhn 18:38 Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.
  26941. Jhn 18:39 Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?
  26942. Jhn 18:40 Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi waiva ari gororo.
  26943. Jhn 19:1 Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.
  26944. Jhn 19:2 Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute.
  26945. Jhn 19:3 Vakati: Hekanhi, Mambo wevaJudha! Ndokumurova nembama.
  26946. Jhn 19:4 Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.
  26947. Jhn 19:5 Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!
  26948. Jhn 19:6 Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.
  26949. Jhn 19:7 VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
  26950. Jhn 19:8 Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya.
  26951. Jhn 19:9 Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.
  26952. Jhn 19:10 Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?
  26953. Jhn 19:11 Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru.
  26954. Jhn 19:12 Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari.
  26955. Jhn 19:13 Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata.
  26956. Jhn 19:14 Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
  26957. Jhn 19:15 Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.
  26958. Jhn 19:16 Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.
  26959. Jhn 19:17 Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota,
  26960. Jhn 19:18 pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.
  26961. Jhn 19:19 Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chaiva chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.
  26962. Jhn 19:20 Naizvozvo vazhinji vevaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo paiva pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye paiva pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma.
  26963. Jhn 19:21 Naizvozvo vapristi vakuru vevaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wevaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo wevaJudha.
  26964. Jhn 19:22 Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.
  26965. Jhn 19:23 Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove, neshati; asi shati iyi yaiva isina musono, yaiva yakarukwa yose kubva kumusoro.
  26966. Jhn 19:24 Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
  26967. Jhn 19:25 Zvino pamuchinjikwa waJesu paiva pamire mai vake, nemunin’ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.
  26968. Jhn 19:26 Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.
  26969. Jhn 19:27 Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.
  26970. Jhn 19:28 Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvose zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.
  26971. Jhn 19:29 Zvino paiva pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi, vakaisa kumuromo wake.
  26972. Jhn 19:30 Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake.
  26973. Jhn 19:31 Naizvozvo vaJudha nokuti raiva riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
  26974. Jhn 19:32 Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe waiva arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;
  26975. Jhn 19:33 asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;
  26976. Jhn 19:34 asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.
  26977. Jhn 19:35 Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende.
  26978. Jhn 19:36 Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Pfupa rake haringavhunwi.
  26979. Jhn 19:37 Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.
  26980. Jhn 19:38 Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.
  26981. Jhn 19:39 Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura nearosi, mapaundi anenge zana.
  26982. Jhn 19:40 Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yevaJudha yekuviga.
  26983. Jhn 19:41 Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa paiva pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, maiva musina kumboradzikwa munhu.
  26984. Jhn 19:42 Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yevaJudha, nokuti guva raiva riri pedo.
  26985. Jhn 20:1 Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
  26986. Jhn 20:2 Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
  26987. Jhn 20:3 Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
  26988. Jhn 20:4 Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
  26989. Jhn 20:5 Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
  26990. Jhn 20:6 Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
  26991. Jhn 20:7 nemucheka wekumeso waiva uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.
  26992. Jhn 20:8 Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
  26993. Jhn 20:9 nokuti vaiva vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.
  26994. Jhn 20:10 Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.
  26995. Jhn 20:11 Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
  26996. Jhn 20:12 akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
  26997. Jhn 20:13 Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
  26998. Jhn 20:14 Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
  26999. Jhn 20:15 Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
  27000. Jhn 20:16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
  27001. Jhn 20:17 Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin’ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
  27002. Jhn 20:18 Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
  27003. Jhn 20:19 Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa paiva pakaungana vadzidzi nekutya vaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
  27004. Jhn 20:20 Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
  27005. Jhn 20:21 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
  27006. Jhn 20:22 Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
  27007. Jhn 20:23 Vose vamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vose vamunobata zvavo zvabatwa.
  27008. Jhn 20:24 Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, waiva asipo navo Jesu paakauya.
  27009. Jhn 20:25 Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
  27010. Jhn 20:26 Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vaiva vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
  27011. Jhn 20:27 Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava asingatendi, asi anotenda.
  27012. Jhn 20:28 Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
  27013. Jhn 20:29 Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
  27014. Jhn 20:30 Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
  27015. Jhn 20:31 Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.
  27016. Jhn 21:1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:
  27017. Jhn 21:2 Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi anonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.
  27018. Jhn 21:3 Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.
  27019. Jhn 21:4 Zvino kwakati kwatova mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.
  27020. Jhn 21:5 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vadiki, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
  27021. Jhn 21:6 Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kuukweva nekuwanda kwehove.
  27022. Jhn 21:7 Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yekunze (nokuti waiva akashama), akazviwisira mugungwa.
  27023. Jhn 21:8 Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nokuti vaiva vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.
  27024. Jhn 21:9 Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe wakaiswapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.
  27025. Jhn 21:10 Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.
  27026. Jhn 21:11 Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.
  27027. Jhn 21:12 Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? vachiziva kuti ndiIshe.
  27028. Jhn 21:13 Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.
  27029. Jhn 21:14 Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kubva kuvakafa.
  27030. Jhn 21:15 Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.
  27031. Jhn 21:16 Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.
  27032. Jhn 21:17 Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; imwi munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.
  27033. Jhn 21:18 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva mudiki, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe achakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.
  27034. Jhn 21:19 Wakareva izvi, achiratidza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.
  27035. Jhn 21:20 Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakazendamira pachifuva chake pachirairo, akati: Ishe, ndiani achakutengesai?
  27036. Jhn 21:21 Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?
  27037. Jhn 21:22 Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvika ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.
  27038. Jhn 21:23 Zvino shoko iri rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvika ndichiuya, unei nazvo?
  27039. Jhn 21:24 Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.
  27040. Jhn 21:25 Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Ameni
  27041. Act 1:1 Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvose Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa,
  27042. Act 1:2 kusvika zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaaiva asarudza;
  27043. Act 1:3 vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari.
  27044. Act 1:4 Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;
  27045. Act 1:5 nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino.
  27046. Act 1:6 Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here?
  27047. Act 1:7 Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo;
  27048. Act 1:8 asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvose paJerusarema nemuJudhiya mose nemuSamariya, kusvikirawo kumugumo wenyika.
  27049. Act 1:9 Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.
  27050. Act 1:10 Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;
  27051. Act 1:11 ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.
  27052. Act 1:12 Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, pane chinhambwe cherwendo rwesabata.
  27053. Act 1:13 Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vose Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.
  27054. Act 1:14 Ava vose vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin’ina vake.
  27055. Act 1:15 Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):
  27056. Act 1:16 Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, waiva ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,
  27057. Act 1:17 nokuti waiva achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhu.
  27058. Act 1:18 Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwose hukabvajukira kunze.
  27059. Act 1:19 Zvikanzwikwa kuvagari vose paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.
  27060. Act 1:20 Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.
  27061. Act 1:21 Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yose, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu,
  27062. Act 1:22 kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvika pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.
  27063. Act 1:23 Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.
  27064. Act 1:24 Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevose, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,
  27065. Act 1:25 kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.
  27066. Act 1:26 Zvino vakavapa mijenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.
  27067. Act 2:1 Zvino zuva rePendekosita rakati razadzisika, vose vaiva vari pamwe nemoyo umwe.
  27068. Act 2:2 Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yose mavaiva vagere.
  27069. Act 2:3 Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo.
  27070. Act 2:4 Zvino vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
  27071. Act 2:5 Zvino kwaigara paJerusarema vaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwose rwevari pasi pedenga.
  27072. Act 2:6 Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake.
  27073. Act 2:7 Zvino vakakatyamara vose vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havasi vaGarirea here?
  27074. Act 2:8 Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?
  27075. Act 2:9 VaPatia nevaMedhi nevaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokia, vePonto neveAsia,
  27076. Act 2:10 neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vose vaJudha nevakatendeukira kuvaJudha,
  27077. Act 2:11 vaKrete nevaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.
  27078. Act 2:12 Zvino vakakatyamara vose, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii?
  27079. Act 2:13 Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira.
  27080. Act 2:14 Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume vaJudha, nevose vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.
  27081. Act 2:15 Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva;
  27082. Act 2:16 asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:
  27083. Act 2:17 Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yose; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;
  27084. Act 2:18 uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.
  27085. Act 2:19 Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.
  27086. Act 2:20 Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;
  27087. Act 2:21 zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa.
  27088. Act 2:22 Varume vaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu muNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene,
  27089. Act 2:23 iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya;
  27090. Act 2:24 iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvaiva zvisingagoneki kuti abatwe narwo.
  27091. Act 2:25 Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
  27092. Act 2:26 Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.
  27093. Act 2:27 Nokuti hamuzosii mweya weupenyu wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
  27094. Act 2:28 Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.
  27095. Act 2:29 Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvose vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvika zuva rino.
  27096. Act 2:30 Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,
  27097. Act 2:31 aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya weupenyu wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora.
  27098. Act 2:32 Uyu Jesu, Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tose.
  27099. Act 2:33 Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.
  27100. Act 2:34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
  27101. Act 2:35 kusvika ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
  27102. Act 2:36 Naizvozvo imba yose yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvose Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi.
  27103. Act 2:37 Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?
  27104. Act 2:38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
  27105. Act 2:39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevose vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
  27106. Act 2:40 Uye nemamwe mashoko mazhinji akapupura akakurudzira achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
  27107. Act 2:41 Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya yeupenyu inenge zvuru zvitatu.
  27108. Act 2:42 Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.
  27109. Act 2:43 Uye kutya kukawira pamusoro pemweya weupenyu wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.
  27110. Act 2:44 Nevaitenda vose vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvose panhu pamwe,
  27111. Act 2:45 ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vose, umwe neumwe paaishaiwa napo.
  27112. Act 2:46 Zuva rimwe nerimwe vaiva vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena,
  27113. Act 2:47 vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.
  27114. Act 3:1 Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.
  27115. Act 3:2 Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.
  27116. Act 3:3 Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
  27117. Act 3:4 Zvino Petro akamutarisisa anaJohwani, akati: Titarire!
  27118. Act 3:5 Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
  27119. Act 3:6 Petro ndokuti: Sirivha negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.
  27120. Act 3:7 Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.
  27121. Act 3:8 Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.
  27122. Act 3:9 Uye vanhu vose vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.
  27123. Act 3:10 Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvaiva zvaitika kwaari.
  27124. Act 3:11 Zvino waikamhina waiva aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.
  27125. Act 3:12 Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume vaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?
  27126. Act 3:13 Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye atema kumusunungura.
  27127. Act 3:14 Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,
  27128. Act 3:15 mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.
  27129. Act 3:16 Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mose.
  27130. Act 3:17 Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.
  27131. Act 3:18 Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vose, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvo.
  27132. Act 3:19 Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike,
  27133. Act 3:20 uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;
  27134. Act 3:21 wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvika nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vose kubva panguva dzakare.
  27135. Act 3:22 Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvose zvaachataura kwamuri.
  27136. Act 3:23 Uye zvichaitika, mweya weupenyu umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.
  27137. Act 3:24 Uye nevaporofita vose kubva kuna Samueri nevakatevera, vose vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.
  27138. Act 3:25 Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa.
  27139. Act 3:26 Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.
  27140. Act 4:1 Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere nevaSadhusi vakavasvikira,
  27141. Act 4:2 vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu.
  27142. Act 4:3 Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvika mangwana; nokuti aiva atova madekwani.
  27143. Act 4:4 Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.
  27144. Act 4:5 Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema,
  27145. Act 4:6 naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevose vaiva vehama dzemupristi mukuru.
  27146. Act 4:7 Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?
  27147. Act 4:8 Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru vaIsraeri;
  27148. Act 4:9 kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei,
  27149. Act 4:10 ngazvizikanwe kwamuri mose, nekuvanhu vose veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora.
  27150. Act 4:11 Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.
  27151. Act 4:12 Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.
  27152. Act 4:13 Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.
  27153. Act 4:14 Asi vachiona munhu waiva aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.
  27154. Act 4:15 Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo,
  27155. Act 4:16 vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vose vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.
  27156. Act 4:17 Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.
  27157. Act 4:18 Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.
  27158. Act 4:19 Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari.
  27159. Act 4:20 Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa.
  27160. Act 4:21 Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.
  27161. Act 4:22 Nokuti munhu waiva apfuura makore makumi mana waiva aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa.
  27162. Act 4:23 Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvose vapristi vakuru nevakuru zvavaiva vataura kwavari.
  27163. Act 4:24 Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri;
  27164. Act 4:25 makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo?
  27165. Act 4:26 Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.
  27166. Act 4:27 Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vose Herodhi naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni nevanhu vekwaIsraeri,
  27167. Act 4:28 kuti vaite zvose ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.
  27168. Act 4:29 Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kose,
  27169. Act 4:30 pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.
  27170. Act 4:31 Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavaiva vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vose neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya.
  27171. Act 4:32 Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya weupenyu umwe; uye kwaiva kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvose.
  27172. Act 4:33 Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vose.
  27173. Act 4:34 Nokuti paiva pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vose vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,
  27174. Act 4:35 vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.
  27175. Act 4:36 NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi,
  27176. Act 4:37 ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.
  27177. Act 5:1 Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa nhumbi [dzake],
  27178. Act 5:2 akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.
  27179. Act 5:3 Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?
  27180. Act 5:4 Uchiripo hauna kuramba uri wako here, uye watengeswa waiva usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.
  27181. Act 5:5 Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.
  27182. Act 5:6 Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.
  27183. Act 5:7 Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.
  27184. Act 5:8 Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai.
  27185. Act 5:9 Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.
  27186. Act 5:10 Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake.
  27187. Act 5:11 Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yose nepamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.
  27188. Act 5:12 Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vose vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.
  27189. Act 5:13 Asi pavamwe kwaiva kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.
  27190. Act 5:14 Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.
  27191. Act 5:15 Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo.
  27192. Act 5:16 Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.
  27193. Act 5:17 Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevose vaiva naye vari sangano revaSadhusi, vakazara negodo,
  27194. Act 5:18 vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vose.
  27195. Act 5:19 Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:
  27196. Act 5:20 Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu mashoko ose eupenyu uhu.
  27197. Act 5:21 Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yose yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.
  27198. Act 5:22 Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira shoko,
  27199. Act 5:23 achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kose, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.
  27200. Act 5:24 Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.
  27201. Act 5:25 Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.
  27202. Act 5:26 Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.
  27203. Act 5:27 Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,
  27204. Act 5:28 achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.
  27205. Act 5:29 Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.
  27206. Act 5:30 Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakauraya imwi, mukaremberedza pamuti.
  27207. Act 5:31 Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi.
  27208. Act 5:32 Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.
  27209. Act 5:33 Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvauraya.
  27210. Act 5:34 Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vose, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki.
  27211. Act 5:35 Ndokuti kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.
  27212. Act 5:36 Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake waiva ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevose vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina.
  27213. Act 5:37 Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevose vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.
  27214. Act 5:38 Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.
  27215. Act 5:39 Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.
  27216. Act 5:40 Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.
  27217. Act 5:41 Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.
  27218. Act 5:42 Uye mazuva ose mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Jesu Kristu.
  27219. Act 6:1 Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti akanangana nevaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakugoverwa kwemusi umwe neumwe.
  27220. Act 6:2 Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura.
  27221. Act 6:3 Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.
  27222. Act 6:4 Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko.
  27223. Act 6:5 Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chose; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuvaJudha,
  27224. Act 6:6 vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.
  27225. Act 6:7 Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo.
  27226. Act 6:8 Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.
  27227. Act 6:9 Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi revakasununguka, nevaKureni, nevaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano.
  27228. Act 6:10 Asi vaiva vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.
  27229. Act 6:11 Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.
  27230. Act 6:12 Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,
  27231. Act 6:13 ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo,
  27232. Act 6:14 nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.
  27233. Act 6:15 Zvino vose vaiva vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.
  27234. Act 7:1 Zvino mupristi mukuru akati: Ko zvinhu izvi zvakadai here?
  27235. Act 7:2 Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahama vari muMesopotamia, vasati vagara muHarani,
  27236. Act 7:3 akati kwaari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.
  27237. Act 7:4 Zvino vakabuda munyika yevaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;
  27238. Act 7:5 asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.
  27239. Act 7:6 Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava mutorwa kunyika yeumweni, uye vachaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;
  27240. Act 7:7 asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.
  27241. Act 7:8 Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvowo vakabereka Isaka, vakamudzingisa pazuva rerusere; naIsaka wakabereka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.
  27242. Act 7:9 Mateteguru akagodoka, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.
  27243. Act 7:10 Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yose.
  27244. Act 7:11 Zvino kwakauya nzara panyika yose yeEgipita neKenani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana kudya.
  27245. Act 7:12 Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.
  27246. Act 7:13 Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.
  27247. Act 7:14 Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzose, iri mweya yeupenyu makumi manomwe nemishanu.
  27248. Act 7:15 Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;
  27249. Act 7:16 uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahama raaiva atenga nemutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori weShekemi.
  27250. Act 7:17 Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaaiva apikira kuna Abhurahama, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,
  27251. Act 7:18 kusvika umwe mambo amuka waiva asingazivi Josefa.
  27252. Act 7:19 Ndiye wakabata rudzi rwedu nemano-mano, akatambudza madzibaba edu, achivaita varase vacheche vavo kuti varege kurarama.
  27253. Act 7:20 Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye waiva akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.
  27254. Act 7:21 Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana wake.
  27255. Act 7:22 Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwose hwevaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.
  27256. Act 7:23 Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
  27257. Act 7:24 Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira waiva achitambudzwa, akarova muEgipita;
  27258. Act 7:25 zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari anovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.
  27259. Act 7:26 Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?
  27260. Act 7:27 Zvino iye waiva achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?
  27261. Act 7:28 Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?
  27262. Act 7:29 Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.
  27263. Act 7:30 Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.
  27264. Act 7:31 Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:
  27265. Act 7:32 Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.
  27266. Act 7:33 Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.
  27267. Act 7:34 Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.
  27268. Act 7:35 Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? Ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.
  27269. Act 7:36 Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.
  27270. Act 7:37 Ndiye uyu Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.
  27271. Act 7:38 Uyu ndiye waiva ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai ane madzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.
  27272. Act 7:39 Ndiye madzibaba edu wavaiva vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.
  27273. Act 7:40 Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nokuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.
  27274. Act 7:41 Zvino vakaita mhuru mumazuva ayo, vakauisa chibairo kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.
  27275. Act 7:42 Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?
  27276. Act 7:43 Uye makatakura tabhenakeri yaMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.
  27277. Act 7:44 Madzibaba edu aiva netabhenakeri yeuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waaiva aona;
  27278. Act 7:45 yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;
  27279. Act 7:46 wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tabhenakeri.
  27280. Act 7:47 Asi Soromoni wakamuvakira imba.
  27281. Act 7:48 Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:
  27282. Act 7:49 Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?
  27283. Act 7:50 Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvose here?
  27284. Act 7:51 Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.
  27285. Act 7:52 Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Uye vakauraya avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.
  27286. Act 7:53 Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.
  27287. Act 7:54 Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabaiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.
  27288. Act 7:55 Asi azere neMweya Mutsvene wakatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,
  27289. Act 7:56 akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.
  27290. Act 7:57 Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;
  27291. Act 7:58 vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
  27292. Act 7:59 Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
  27293. Act 7:60 Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.
  27294. Act 8:1 Zvino Sauro waiva achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vose ndokuparadzirwa kunyika dzose dzeJudhiya neSamariya, kunze kwevaapositori.
  27295. Act 8:2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.
  27296. Act 8:3 Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda mumba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.
  27297. Act 8:4 Naizvozvo avo vaiva vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko.
  27298. Act 8:5 Firipi ndokuburukira kuguta reSamariya, akaparidza Kristu kwavari.
  27299. Act 8:6 Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita.
  27300. Act 8:7 Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vaiva vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa.
  27301. Act 8:8 Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro.
  27302. Act 8:9 Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un’anga paguta, achishamisa rudzi rweSamariya, achizviti munhu mukuru;
  27303. Act 8:10 wavaiteerera vose kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari.
  27304. Act 8:11 Zvino vaimuteerera, nokuti waiva avashamisa neun’anga nguva refu.
  27305. Act 8:12 Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vose varume nevakadzi.
  27306. Act 8:13 NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa.
  27307. Act 8:14 Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samariya yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;
  27308. Act 8:15 ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;
  27309. Act 8:16 nokuti waiva asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vaiva vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.
  27310. Act 8:17 Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.
  27311. Act 8:18 Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari,
  27312. Act 8:19 achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene.
  27313. Act 8:20 Asi Petro wakati kwaari: Sirivha yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari.
  27314. Act 8:21 Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
  27315. Act 8:22 Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe.
  27316. Act 8:23 Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi.
  27317. Act 8:24 Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu.
  27318. Act 8:25 Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yevaSamariya.
  27319. Act 8:26 Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje.
  27320. Act 8:27 Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi wevaEtiopia, waiona nezvefuma yake yose, uye waiva auya kuJerusarema kuzonamata,
  27321. Act 8:28 waiva achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya.
  27322. Act 8:29 Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi.
  27323. Act 8:30 Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here?
  27324. Act 8:31 Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye.
  27325. Act 8:32 Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
  27326. Act 8:33 Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.
  27327. Act 8:34 Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo?
  27328. Act 8:35 Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu.
  27329. Act 8:36 Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa?
  27330. Act 8:37 Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wose, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.
  27331. Act 8:38 Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza.
  27332. Act 8:39 Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara.
  27333. Act 8:40 Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ose, kusvika asvika paKesariya.
  27334. Act 9:1 Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,
  27335. Act 9:2 akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo, vose varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.
  27336. Act 9:3 Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;
  27337. Act 9:4 zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?
  27338. Act 9:5 Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo.
  27339. Act 9:6 Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.
  27340. Act 9:7 Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.
  27341. Act 9:8 Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko.
  27342. Act 9:9 Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.
  27343. Act 9:10 Zvino paiva pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.
  27344. Act 9:11 Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera,
  27345. Act 9:12 uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.
  27346. Act 9:13 Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;
  27347. Act 9:14 uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vose vanodana zita renyu.
  27348. Act 9:15 Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo nevana vaIsraeri;
  27349. Act 9:16 nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.
  27350. Act 9:17 Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.
  27351. Act 9:18 Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.
  27352. Act 9:19 Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.
  27353. Act 9:20 Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.
  27354. Act 9:21 Asi vose vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?
  27355. Act 9:22 Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza vaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.
  27356. Act 9:23 Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, vaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye;
  27357. Act 9:24 asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;
  27358. Act 9:25 asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.
  27359. Act 9:26 Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vose vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.
  27360. Act 9:27 Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti waiva ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.
  27361. Act 9:28 Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,
  27362. Act 9:29 ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataurawo achipikisa vaHerenisiti; asi vakaidza kumuuraya.
  27363. Act 9:30 Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.
  27364. Act 9:31 Naizvozvo kereke paJudhiya yose neGarirea neSamariya dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.
  27365. Act 9:32 Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzose, akaburukirawo kuvatsvene vaiva vagere paRidha.
  27366. Act 9:33 Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, waiva arere panhovo makore masere, akafa mitezo.
  27367. Act 9:34 Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo.
  27368. Act 9:35 Zvino vose vaiva vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
  27369. Act 9:36 Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo waiva azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.
  27370. Act 9:37 Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro.
  27371. Act 9:38 Zvino Ridha zvaraiva riri pedo neJopa, vadzidzi vaiva vanzwa kuti Petro waiva aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.
  27372. Act 9:39 Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzose dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaaiva aita achiri navo.
  27373. Act 9:40 Asi Petro wakavabudisira panze vose akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.
  27374. Act 9:41 Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.
  27375. Act 9:42 Zvino zvikazikanwa paJopa yose; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.
  27376. Act 9:43 Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.
  27377. Act 10:1 Kwaiva kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
  27378. Act 10:2 wakazvipira uye anotya Mwari pamwe neimba yake yose, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yose;
  27379. Act 10:3 akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!
  27380. Act 10:4 Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.
  27381. Act 10:5 Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni anonzi Petro;
  27382. Act 10:6 anogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri parutivi rwegungwa; iye achakuudza zvaunofanira kuita.
  27383. Act 10:7 Zvino mutumwa waiva ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzose,
  27384. Act 10:8 zvino wakati arondedzera zvinhu zvose kwavari, akavatuma kuJopa.
  27385. Act 10:9 Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.
  27386. Act 10:10 Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira, chiyeverwa chikamuwira;
  27387. Act 10:11 ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.
  27388. Act 10:12 Maiva nemhuka dzose dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
  27389. Act 10:13 Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.
  27390. Act 10:14 Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nokuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.
  27391. Act 10:15 Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.
  27392. Act 10:16 Zvino izvi zvakaitwa kusvika katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.
  27393. Act 10:17 Zvino Petro wakati achakashamiswa maari kuti chiratidzo chaaiva aona chairevei, zvino tarira, varume vaiva vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,
  27394. Act 10:18 vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, anonzi Petro achigarapo.
  27395. Act 10:19 Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
  27396. Act 10:20 Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usiri asina chokwadi nechinhu; nokuti ndini ndavatuma.
  27397. Act 10:21 Petro ndokuburukira kuvarume vaiva vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?
  27398. Act 10:22 Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neanotya Mwari, anopupurirwa nerudzi rwose rwevaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.
  27399. Act 10:23 Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.
  27400. Act 10:24 Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo waiva akavamirira, uye akadanira pamwe chete hama dzake neshamwari dzepedo.
  27401. Act 10:25 Zvino zvakaitika kuti Petro apinda, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.
  27402. Act 10:26 Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.
  27403. Act 10:27 Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,
  27404. Act 10:28 ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;
  27405. Act 10:29 naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodanwa. Naizvozvo ndinobvunza kuti mandidanira chinangwai?
  27406. Act 10:30 Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvika paawa rino ndaiva ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndaiva ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,
  27407. Act 10:31 ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.
  27408. Act 10:32 Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni anonzi Petro; iye anogara mumba maSimoni musuki wematehwe parutivi rwegungwa; iye kana auya achataura newe.
  27409. Act 10:33 Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tose tiripo pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvose zvamakarairwa naIshe.
  27410. Act 10:34 Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi musaruri wevanhu;
  27411. Act 10:35 asi parudzi rupi nerupi uyo anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.
  27412. Act 10:36 Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).
  27413. Act 10:37 Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya rose, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;
  27414. Act 10:38 raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nokuti Mwari waiva naye.
  27415. Act 10:39 Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita, zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema; iye wavakauraya, nekuremberedza pamuti.
  27416. Act 10:40 Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe,
  27417. Act 10:41 kwete kuvanhu vose, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekunwa naye, mushure mekunge amuka kubva kuvakafa.
  27418. Act 10:42 Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.
  27419. Act 10:43 Vaporofita vose vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani anotenda maari achagamuchira kanganwiro yezvivi.
  27420. Act 10:44 Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo vose vakanzwa shoko.
  27421. Act 10:45 Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vose vaiva vauya naPetro, nokuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chaiva chadururwa;
  27422. Act 10:46 nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
  27423. Act 10:47 Kune munhu anogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?
  27424. Act 10:48 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.
  27425. Act 11:1 Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
  27426. Act 11:2 Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
  27427. Act 11:3 vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
  27428. Act 11:4 Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
  27429. Act 11:5 Ini ndaiva ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
  27430. Act 11:6 wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
  27431. Act 11:7 Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
  27432. Act 11:8 Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
  27433. Act 11:9 Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
  27434. Act 11:10 Uye izvi zvakaitika kusvika katatu, zvose ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
  27435. Act 11:11 Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandaiva ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
  27436. Act 11:12 Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
  27437. Act 11:13 iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,
  27438. Act 11:14 achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yose.
  27439. Act 11:15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo, sezvazvakaitawo pamusoro pedu pakutanga.
  27440. Act 11:16 Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
  27441. Act 11:17 Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
  27442. Act 11:18 Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
  27443. Act 11:19 Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvika paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuvaJudha chete.
  27444. Act 11:20 Asi kwaiva nevamwe vavo, varume vaSaipuresi nevaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuvaHerenisiti, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
  27445. Act 11:21 Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.
  27446. Act 11:22 Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
  27447. Act 11:23 iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vose kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;
  27448. Act 11:24 nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
  27449. Act 11:25 Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
  27450. Act 11:26 Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rose vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.
  27451. Act 11:27 Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.
  27452. Act 11:28 Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
  27453. Act 11:29 Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
  27454. Act 11:30 zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.
  27455. Act 12:1 Nenguva iyoyo Herodhi mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.
  27456. Act 12:2 Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.
  27457. Act 12:3 Zvino wakati achiona kuti zvinofadza vaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
  27458. Act 12:4 akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
  27459. Act 12:5 Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
  27460. Act 12:6 Zvino Herodhi wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro waiva arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
  27461. Act 12:7 Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
  27462. Act 12:8 Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
  27463. Act 12:9 Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.
  27464. Act 12:10 Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
  27465. Act 12:11 Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhi netarisiro yose yevanhu vevaJudha.
  27466. Act 12:12 Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavaiva vakaungana vachinyengetera.
  27467. Act 12:13 Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
  27468. Act 12:14 Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.
  27469. Act 12:15 Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
  27470. Act 12:16 Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
  27471. Act 12:17 Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
  27472. Act 12:18 Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
  27473. Act 12:19 Zvino Herodhi wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
  27474. Act 12:20 Zvino Herodhi wakatsamwira zvikuru veTire nevaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.
  27475. Act 12:21 Zvino nezuva rakatarwa Herodhi wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
  27476. Act 12:22 Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
  27477. Act 12:23 Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
  27478. Act 12:24 Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
  27479. Act 12:25 Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.
  27480. Act 13:1 Zvino paivapo muAndiyokiya mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni waiva arerwa pamwe naHerodhi umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
  27481. Act 13:2 Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
  27482. Act 13:3 Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
  27483. Act 13:4 Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
  27484. Act 13:5 Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge evaJudha; uye vaiva vanaJohwaniwo mubatsiri.
  27485. Act 13:6 Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvika paPafosi, vakawana imwe n’anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.
  27486. Act 13:7 Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
  27487. Act 13:8 Asi Erimasi n’anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
  27488. Act 13:9 Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
  27489. Act 13:10 wakati: Iwe uzere nekubiridzira kose nekunyengera kose, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kose, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
  27490. Act 13:11 Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
  27491. Act 13:12 Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
  27492. Act 13:13 Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
  27493. Act 13:14 Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
  27494. Act 13:15 Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.
  27495. Act 13:16 Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume vaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
  27496. Act 13:17 Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
  27497. Act 13:18 Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.
  27498. Act 13:19 Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
  27499. Act 13:20 Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvika kuna Samueri muporofita.
  27500. Act 13:21 Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
  27501. Act 13:22 Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chose.
  27502. Act 13:23 Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
  27503. Act 13:24 iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vose vaIsraeri.
  27504. Act 13:25 Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
  27505. Act 13:26 Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
  27506. Act 13:27 Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;
  27507. Act 13:28 uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
  27508. Act 13:29 Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
  27509. Act 13:30 Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa;
  27510. Act 13:31 iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vaiva vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
  27511. Act 13:32 Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
  27512. Act 13:33 kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
  27513. Act 13:34 Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
  27514. Act 13:35 Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
  27515. Act 13:36 Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake, wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
  27516. Act 13:37 asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.
  27517. Act 13:38 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
  27518. Act 13:39 uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvose zvamaiva musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.
  27519. Act 13:40 Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
  27520. Act 13:41 Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.
  27521. Act 13:42 Zvino pakubuda kwevaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.
  27522. Act 13:43 Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji vevaJudha nevakatendeukira kuvaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.
  27523. Act 13:44 Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
  27524. Act 13:45 Zvino vaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
  27525. Act 13:46 Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvaiva zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni.
  27526. Act 13:47 Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvika kumugumo wenyika.
  27527. Act 13:48 Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe; uye uwandu hwevese vaiva vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
  27528. Act 13:49 Uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rose.
  27529. Act 13:50 Asi vaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
  27530. Act 13:51 Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.
  27531. Act 13:52 Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.
  27532. Act 14:1 Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge revaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru chevaJudha nechevaGirikiwo chakatenda.
  27533. Act 14:2 Asi vaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
  27534. Act 14:3 Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
  27535. Act 14:4 Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva nevaJudha, vamwewo nevaapositori.
  27536. Act 14:5 Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekwevaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
  27537. Act 14:6 vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
  27538. Act 14:7 ipapowo vakaparidza evhangeri.
  27539. Act 14:8 Zvino paRistra paigara umwe murume waiva asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
  27540. Act 14:9 Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,
  27541. Act 14:10 akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
  27542. Act 14:11 Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaaiva aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
  27543. Act 14:12 Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
  27544. Act 14:13 Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.
  27545. Act 14:14 Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
  27546. Act 14:15 ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.
  27547. Act 14:16 Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
  27548. Act 14:17 Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.
  27549. Act 14:18 Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.
  27550. Act 14:19 Asi kwakasvika vaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.
  27551. Act 14:20 Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
  27552. Act 14:21 Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,
  27553. Act 14:22 vachisimbisa mweya yeupenyu yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
  27554. Act 14:23 Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
  27555. Act 14:24 Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
  27556. Act 14:25 Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Atariya;
  27557. Act 14:26 vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavaiva vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravaiva vapedzisa.
  27558. Act 14:27 Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose Mwari zvaaiva aita navo, uye kuti waiva azarurira vahedheni mukova werutendo.
  27559. Act 14:28 Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.
  27560. Act 15:1 Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama kuti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.
  27561. Act 15:2 Naizvozvo, kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kudiki kwaPauro naBhanabhasi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwezve vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko iri.
  27562. Act 15:3 Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamariya, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; uye vakaitira hama dzose mufaro mukuru.
  27563. Act 15:4 Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvose Mwari zvaakaita navo.
  27564. Act 15:5 Asi kwakamuka vamwe vebato revaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.
  27565. Act 15:6 Vaapositori nevakuru vakaungana pamwe kuti vaongorore zveshoko iri.
  27566. Act 15:7 Zvino kwakava nekukakavadzana kukuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, imwi munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.
  27567. Act 15:8 Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura kwavari, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;
  27568. Act 15:9 uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achichenura moyo yavo nerutendo.
  27569. Act 15:10 Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamutsipa wevadzidzi, ratisina kugona kutakura kana madzibaba edu kana isu?
  27570. Act 15:11 Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti tinoponeswa, nenzira imwe savowo.
  27571. Act 15:12 Chaunga chose ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kuti zvikuru sei zviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.
  27572. Act 15:13 Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, nditeererei:
  27573. Act 15:14 Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.
  27574. Act 15:15 Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
  27575. Act 15:16 Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tabhenakeri yaDhavhidhi yakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisazve;
  27576. Act 15:17 kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vose, pavanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe anoita zvinhu izvi zvose.
  27577. Act 15:18 Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ose kubva pakusingaperi.
  27578. Act 15:19 Naizvozvi ini ndinogura kuti tirege kutambudza vakabva kuvahedheni vakatendeukira kuna Mwari;
  27579. Act 15:20 asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo neupombwe nezvakadzipwa neropa.
  27580. Act 15:21 Nokuti Mozisi anavo kubva pamazera akare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
  27581. Act 15:22 Ipapo zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru vane kereke yose, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya pamwe naPauro naBhanabhasi: Judhasi wainzi Bharisabhasi, naSirasi, varume vatungamiriri pakati pehama,
  27582. Act 15:23 vakanyora seizvi neruoko rwavo: Vaapositori nevakuru nehama, kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya neSiriya neKirikia, kwaziwai;
  27583. Act 15:24 sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yeupenyu yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;
  27584. Act 15:25 zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemoyo umwe, kutuma kwamuri varume vakasarudzwa, pamwe nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro,
  27585. Act 15:26 vanhu vakazvipira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
  27586. Act 15:27 Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.
  27587. Act 15:28 Nokuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kuchikutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira:
  27588. Act 15:29 Kuti mubve pazvakabairwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukazvisunungura pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
  27589. Act 15:30 Zvino vakati vaendeswa vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.
  27590. Act 15:31 Zvino vakati vaverenga, vakafara pamusoro pekukurudzirwa.
  27591. Act 15:32 Judhasiwo naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nenhaurwa zhinji, nekuvasimbisa.
  27592. Act 15:33 Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,
  27593. Act 15:34 asi zvakaonekwa zvakanaka kuna Sirasi kuti asarepo.
  27594. Act 15:35 Paurowo naBhanabhasi vakasara muAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwewo vazhinji.
  27595. Act 15:36 Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere ikozvino tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe, matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.
  27596. Act 15:37 Zvino Bhanabhasi waiva aronga kutora Johwani wainzi Mariko, kuti afambe navo.
  27597. Act 15:38 Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa.
  27598. Act 15:39 Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe.
  27599. Act 15:40 Asi Pauro wakasarudza Sirasi akabuda akaenda, akumikidzwa nehama panyasha dzaMwari.
  27600. Act 15:41 Ndokugura neSiriya neKirikia, achisimbisa makereke.
  27601. Act 16:1 Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;
  27602. Act 16:2 waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.
  27603. Act 16:3 Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kwevaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vaiva vachiziva baba vake, kuti muGiriki.
  27604. Act 16:4 Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.
  27605. Act 16:5 Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.
  27606. Act 16:6 Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratiya, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia.
  27607. Act 16:7 Vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitinia; asi Mweya haana kuvatendera.
  27608. Act 16:8 Zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.
  27609. Act 16:9 Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia waiva amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.
  27610. Act 16:10 Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
  27611. Act 16:11 Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,
  27612. Act 16:12 ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.
  27613. Act 16:13 Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vaiva vaunganapo.
  27614. Act 16:14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.
  27615. Act 16:15 Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.
  27616. Act 16:16 Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.
  27617. Act 16:17 Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
  27618. Act 16:18 Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.
  27619. Act 16:19 Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,
  27620. Act 16:20 vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari vaJudha,
  27621. Act 16:21 uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu vaRoma.
  27622. Act 16:22 Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.
  27623. Act 16:23 Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;
  27624. Act 16:24 iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.
  27625. Act 16:25 Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vaiva vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;
  27626. Act 16:26 zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yose ikazarurwa, nezvisungo zvevose zvikasunungurwa.
  27627. Act 16:27 Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
  27628. Act 16:28 Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tose.
  27629. Act 16:29 Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, uye achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,
  27630. Act 16:30 zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
  27631. Act 16:31 Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.
  27632. Act 16:32 Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vose vaiva mumba make.
  27633. Act 16:33 Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vose.
  27634. Act 16:34 Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yose achitenda kuna Mwari.
  27635. Act 16:35 Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.
  27636. Act 16:36 Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.
  27637. Act 16:37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu vaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.
  27638. Act 16:38 Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti vaRoma,
  27639. Act 16:39 ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.
  27640. Act 16:40 Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.
  27641. Act 17:1 Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge revaJudha;
  27642. Act 17:2 zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,
  27643. Act 17:3 achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.
  27644. Act 17:4 Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru chevaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.
  27645. Act 17:5 Asi vaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu;
  27646. Act 17:6 asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo,
  27647. Act 17:7 avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vose vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu.
  27648. Act 17:8 Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi.
  27649. Act 17:9 Zvino vakati vatora chibatiso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza.
  27650. Act 17:10 Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge revaJudha.
  27651. Act 17:11 Ava vaiva vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chose, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.
  27652. Act 17:12 Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa vevaGiriki, nevevarume vasiri vashoma.
  27653. Act 17:13 Asi vaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga.
  27654. Act 17:14 Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo.
  27655. Act 17:15 Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda.
  27656. Act 17:16 Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo.
  27657. Act 17:17 Naizvozvo wakapikisana nevaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo.
  27658. Act 17:18 Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzevaEpikuro nedzevaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka.
  27659. Act 17:19 Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii?
  27660. Act 17:20 Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii?
  27661. Act 17:21 Nokuti vose vaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.
  27662. Act 17:22 Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume vaAtene, pazvinhu zvose ndinoona semune chitendero chikuru.
  27663. Act 17:23 Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai.
  27664. Act 17:24 Mwari wakaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,
  27665. Act 17:25 uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vose upenyu nekufema nezvinhu zvose;
  27666. Act 17:26 uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ose evanhu, kuti agare pachiso chose chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo;
  27667. Act 17:27 kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.
  27668. Act 17:28 Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo.
  27669. Act 17:29 Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivha kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu.
  27670. Act 17:30 Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vose kose-kose kuti vatendeuke.
  27671. Act 17:31 Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vose, pakumumutsa kubva kuvakafa.
  27672. Act 17:32 Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.
  27673. Act 17:33 Zvino nokudaro Pauro wakabuda pakati pavo.
  27674. Act 17:34 Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.
  27675. Act 18:1 Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde.
  27676. Act 18:2 Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti vaJudha vose vabve kuRoma, akaenda kwavari;
  27677. Act 18:3 zvino nokuti vaiva vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa.
  27678. Act 18:4 Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera vaJudha nevaGiriki.
  27679. Act 18:5 Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
  27680. Act 18:6 Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni.
  27681. Act 18:7 Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge.
  27682. Act 18:8 NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yose; nevazhinji vevaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
  27683. Act 18:9 Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;
  27684. Act 18:10 nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.
  27685. Act 18:11 Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
  27686. Act 18:12 Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga,
  27687. Act 18:13 vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.
  27688. Act 18:14 Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuvaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa vaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu;
  27689. Act 18:15 asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo.
  27690. Act 18:16 Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga.
  27691. Act 18:17 Zvino vaGiriki vose vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.
  27692. Act 18:18 Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti waiva ane mhiko.
  27693. Act 18:19 Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana nevaJudha.
  27694. Act 18:20 Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda;
  27695. Act 18:21 asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzose kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe.
  27696. Act 18:22 Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya.
  27697. Act 18:23 Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratiya neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
  27698. Act 18:24 Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso.
  27699. Act 18:25 Uyu waiva adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete;
  27700. Act 18:26 iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.
  27701. Act 18:27 Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha;
  27702. Act 18:28 nokuti wakapwisa vaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.
  27703. Act 19:1 Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,
  27704. Act 19:2 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.
  27705. Act 19:3 Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
  27706. Act 19:4 Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.
  27707. Act 19:5 Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
  27708. Act 19:6 Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.
  27709. Act 19:7 Zvino varume vose vainge gumi nevaviri.
  27710. Act 19:8 Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.
  27711. Act 19:9 Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.
  27712. Act 19:10 Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vose vaiva vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vose vaJudha nevaGiriki.
  27713. Act 19:11 Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
  27714. Act 19:12 zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.
  27715. Act 19:13 Zvino vamwe vaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.
  27716. Act 19:14 Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.
  27717. Act 19:15 Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?
  27718. Act 19:16 Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.
  27719. Act 19:17 Zvino izvi zvikazikanwa kune vose vaJudha nevaGirikiwo vaiva vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vose; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.
  27720. Act 19:18 Zvino vazhinji vevaiva vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
  27721. Act 19:19 Zvino vazhinji vevaiita zveun’anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevose; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivha zvuru makumi mashanu.
  27722. Act 19:20 Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.
  27723. Act 19:21 Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
  27724. Act 19:22 Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.
  27725. Act 19:23 Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
  27726. Act 19:24 Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivha, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivha, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;
  27727. Act 19:25 wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.
  27728. Act 19:26 Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yose, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.
  27729. Act 19:27 Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaonekwa sechinhu pasina, neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yose wavanonamata.
  27730. Act 19:28 Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana wevaEfeso!
  27731. Act 19:29 Zvino guta rose rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako vaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.
  27732. Act 19:30 Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
  27733. Act 19:31 Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.
  27734. Act 19:32 Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yaiva yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
  27735. Act 19:33 Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, vaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.
  27736. Act 19:34 Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vose, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana wevaEfeso!
  27737. Act 19:35 Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta revaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga?
  27738. Act 19:36 Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
  27739. Act 19:37 Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
  27740. Act 19:38 Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
  27741. Act 19:39 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
  27742. Act 19:40 Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.
  27743. Act 19:41 Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.
  27744. Act 20:1 Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia.
  27745. Act 20:2 Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi,
  27746. Act 20:3 akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa nevaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia.
  27747. Act 20:4 Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, nevevaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo vaAsia.
  27748. Act 20:5 Ava vakatungamira vakatimirira paTroasi.
  27749. Act 20:6 Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe.
  27750. Act 20:7 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvika pakati peusiku.
  27751. Act 20:8 Zvino kwaiva kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavaiva vakaungana.
  27752. Act 20:9 Zvino pahwindo paiva pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa.
  27753. Act 20:10 Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri.
  27754. Act 20:11 Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvika kuchiedza, saizvozvo wakaenda.
  27755. Act 20:12 Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.
  27756. Act 20:13 Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti waiva aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka.
  27757. Act 20:14 Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene,
  27758. Act 20:15 tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto.
  27759. Act 20:16 Nokuti Pauro waiva akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita.
  27760. Act 20:17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.
  27761. Act 20:18 Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzose,
  27762. Act 20:19 ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kose uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzevaJudha;
  27763. Act 20:20 kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye mumba nemba,
  27764. Act 20:21 ndichipupura zvose kuvaJudha nekuvaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.
  27765. Act 20:22 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri,
  27766. Act 20:23 kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira.
  27767. Act 20:24 Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari.
  27768. Act 20:25 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mose, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.
  27769. Act 20:26 Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revose;
  27770. Act 20:27 nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rose raMwari.
  27771. Act 20:28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rose Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.
  27772. Act 20:29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;
  27773. Act 20:30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
  27774. Act 20:31 Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.
  27775. Act 20:32 Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevose vakaitwa vatsvene.
  27776. Act 20:33 Handina kuchiva sirivha kana goridhe kana nguvo yemunhu.
  27777. Act 20:34 Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni.
  27778. Act 20:35 Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvo munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.
  27779. Act 20:36 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vose.
  27780. Act 20:37 Kukava nekuchema kwavo vose kukuru; uye vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,
  27781. Act 20:38 vachishungurudzika zvikurusa neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe.
  27782. Act 21:1 Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;
  27783. Act 21:2 ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.
  27784. Act 21:3 Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo.
  27785. Act 21:4 Zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.
  27786. Act 21:5 Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vose vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvika kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.
  27787. Act 21:6 Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
  27788. Act 21:7 Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.
  27789. Act 21:8 Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
  27790. Act 21:9 Uyuwo waiva ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
  27791. Act 21:10 Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
  27792. Act 21:11 ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, vaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvo, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.
  27793. Act 21:12 Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tose isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
  27794. Act 21:13 Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
  27795. Act 21:14 Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.
  27796. Act 21:15 Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
  27797. Act 21:16 Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.
  27798. Act 21:17 Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.
  27799. Act 21:18 Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vose vaiva varipo.
  27800. Act 21:19 Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.
  27801. Act 21:20 Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zvevaJudha vanotenda; uye vose vanoshingairira murairo;
  27802. Act 21:21 zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
  27803. Act 21:22 Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.
  27804. Act 21:23 Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;
  27805. Act 21:24 vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vose vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.
  27806. Act 21:25 Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
  27807. Act 21:26 Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvika kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.
  27808. Act 21:27 Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chose, ndokuisa maoko kwaari.
  27809. Act 21:28 Vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vose kose-kose zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa vaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.
  27810. Act 21:29 Nokuti vaiva vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.
  27811. Act 21:30 Neguta rose rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.
  27812. Act 21:31 Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.
  27813. Act 21:32 Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
  27814. Act 21:33 Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.
  27815. Act 21:34 Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.
  27816. Act 21:35 Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;
  27817. Act 21:36 nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!
  27818. Act 21:37 Pauro wakati oda kupinzwa mumba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?
  27819. Act 21:38 Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
  27820. Act 21:39 Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.
  27821. Act 21:40 Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti:
  27822. Act 22:1 Varume, hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu ikozvino kwamuri.
  27823. Act 22:2 Vakati vachinzwa kuti anotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara. Zvino akati:
  27824. Act 22:3 Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso yeKirikia, akarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa zvakasimba maererano nemurairo wemadzibaba, mushingairiri waMwari, sezvamuri mose nhasi;
  27825. Act 22:4 waishusha nzira iyi kusvika parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vose varume nevakadzi,
  27826. Act 22:5 nemupristi mukuru sezvaanondipupurira, nedare rose remakurukota evakuru, kwandakagamuchirawo kwavari tsamba kuhama, ndikaenda kuDhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapowo vakasungwa, kuti varangwe.
  27827. Act 22:6 Zvino zvakaitika kuti ndichifamba ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo kwakapenya kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.
  27828. Act 22:7 Zvino ndakawira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?
  27829. Act 22:8 Ini ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha iwe.
  27830. Act 22:9 Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, uye vakatya; asi havana kunzwisisa inzwi rewakataura neni.
  27831. Act 22:10 Zvino ndikati: Ndoita chii, Ishe? Ishe ndokuti kwandiri: Simuka uende kuDhamasiko; uye ikoko uchaudzwa maererano nezvinhu zvose zvakatarirwa iwe kuti uite.
  27832. Act 22:11 Zvino zvandaiva ndisingaoni nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko nevaiva neni, ndikasvika kuDhamasiko.
  27833. Act 22:12 Zvino umwe Ananiasi, murume waishingaira pakunamata zvinoenderana nemurairo, waipupurirwa zvakanaka nevaJudha vose vaiva vagerepo,
  27834. Act 22:13 akauya kwandiri ndokumira padivi pangu akati kwandiri: Sauro hama, chionazve. Neni nenguva iyo ndikamuona.
  27835. Act 22:14 Zvino akati: Mwari wemadzibaba edu wakagara akusarudza kuti uzive chido chake, nekuona Wakarurama, uye unzwe inzwi rinobva mumuromo wake.
  27836. Act 22:15 Nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nekunzwa.
  27837. Act 22:16 Zvino ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe uye usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.
  27838. Act 22:17 Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,
  27839. Act 22:18 ndokumuona achiti kwandiri: Kurumidza uye ubude muJerusarema ikozvino-zvino; nokuti havagamuchiri uchapupu hwako maererano neni.
  27840. Act 22:19 Ini ndikati: Ishe, ivo vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge roga-roga avo vaitenda kwamuri;
  27841. Act 22:20 uye pakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndaiva ndimirepo ndichibvumirana nekuurawa kwake, uye ndakachengeta nguvo dzevaimuuraya.
  27842. Act 22:21 Zvino akati kwandiri: Enda, nokuti ini ndichakutuma kure kuvahedheni.
  27843. Act 22:22 Vakamuteerera kusvika pashoko iri, ndokusimudza inzwi ravo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti hazvina kufanira kuti ararame.
  27844. Act 22:23 Zvino vachidanidzira, nekurasa nguvo, vachikushira guruva mumhepo,
  27845. Act 22:24 mukuru wechuru wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti chikonzeroi chavaidanidzira kudai pamusoro pake.
  27846. Act 22:25 Zvino vakati vamutandavadzira mberi nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana waiva amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma uye asina kupiwa mhosva?
  27847. Act 22:26 Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaswedera akaudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamoda kuita; nokuti munhu uyu muRoma.
  27848. Act 22:27 Zvino mukuru wechuru akaswedera akati kwaari: Ndiudze, iwe uri muRoma here? Iye akati: Hongu.
  27849. Act 22:28 Mukuru wechuru ndokupindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana ugaro uhu. Pauro akati: Asi neni ndakaberekwa nahwo.
  27850. Act 22:29 Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza. Nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nokuti waiva amusunga.
  27851. Act 22:30 Zvino chifume achida kuziva chokwadi, kuti nemhosva yei aipomerwa nevaJudha, wakamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare ravo remakurukota rose vauye, akaburusira Pauro ndokugadzika pamberi pavo.
  27852. Act 23:1 Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yose yakanaka, kusvika zuva rino.
  27853. Act 23:2 Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vaiva vamire naye kuti vamurove muromo.
  27854. Act 23:3 Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here?
  27855. Act 23:4 Zvino vaiva vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?
  27856. Act 23:5 Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako.
  27857. Act 23:6 Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi nderevaSadhusi uye rimwe nderevaFarisi, akadanidzira mudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa.
  27858. Act 23:7 Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati pevaFarisi nevaSadhusi, chaunga ndokukamukana.
  27859. Act 23:8 Nokuti vaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vanobvuma zviri zviviri.
  27860. Act 23:9 Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi revaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari.
  27861. Act 23:10 Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto.
  27862. Act 23:11 Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma.
  27863. Act 23:12 Zvino kwakati kwaedza, vamwe vevaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvika vauraya Pauro.
  27864. Act 23:13 Zvino vaipfuura makumi mana vaiva vaita mhiko iyi pamwe chete;
  27865. Act 23:14 ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvika tauraya Pauro.
  27866. Act 23:15 Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.
  27867. Act 23:16 Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.
  27868. Act 23:17 Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari.
  27869. Act 23:18 Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri.
  27870. Act 23:19 Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza?
  27871. Act 23:20 Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye.
  27872. Act 23:21 Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvika vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri.
  27873. Act 23:22 Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.
  27874. Act 23:23 Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvika Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;
  27875. Act 23:24 muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi.
  27876. Act 23:25 Akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi:
  27877. Act 23:26 Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai.
  27878. Act 23:27 Uyu murume wakabatwa nevaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma.
  27879. Act 23:28 Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota;
  27880. Act 23:29 ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo.
  27881. Act 23:30 Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwaiva koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu nevaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan’arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai.
  27882. Act 23:31 Zvino mauto sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku.
  27883. Act 23:32 Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto;
  27884. Act 23:33 ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.
  27885. Act 23:34 Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia,
  27886. Act 23:35 akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhi mekutongera.
  27887. Act 24:1 Zvino mushure memazuva mashanu Ananiasi mupristi mukuru wakaburuka nevakuru neumwe mumiririri [wainzi] Teturo; vakamhan’arira Pauro kumutungamiriri.
  27888. Act 24:2 Zvino wakati adanwa, Teturo akatanga kumupa mhosva achiti: Rugare rukuru tinorwuwana nemwi, nemabasa akanaka akaitika murudzi runo neurongwa hwenyu,
  27889. Act 24:3 tinozvigamuchira nemitoo yose nepanzvimbo dzose, changamire Ferikisi, nekuvonga kose.
  27890. Act 24:4 Asi kuti ndisaramba ndichikubatirirai, ndinokukumbirai zvikuru kuti netsitsi dzenyu mutinzwe muchidimbu.
  27891. Act 24:5 Nokuti takawana murume uyu ari hosha huru, anomutsa bongozozo pakati pevaJudha vose panyika yose, ari mutungamiriri weboka revaNazareta.
  27892. Act 24:6 Iye wakaidzawo kushatisa tembere; watakabatawo tichida kumutonga maererano nemurairo wedu,
  27893. Act 24:7 zvino mukuru wehondo Risiasi wakauya ndokumutora nechisimba chikuru mumaoko edu,
  27894. Act 24:8 akaraira vaimupa mhosva kuti vauye kwamuri; wamunogona kuti mukumubvunzisisa momene muchawana ruzivo rwezvinhu izvi zvose isu zvatinomupira mhosva.
  27895. Act 24:9 NevaJudha vakabvumawo, vachiti zvinhu izvi zvakadaro.
  27896. Act 24:10 Zvino Pauro wakapindura, mutungamiriri amuninira kuti ataure, akati: Nokuti ndinoziva kuti mava wemakore mazhinji muri mutongi kurudzi urwu, ndinozvidavirira nemufaro mukuru zviri maererano neni,
  27897. Act 24:11 sezvo mungagona kuziva kuti mazuva achigere kupfuura gumi nemaviri kwandiri, kubvira pandakakwira kuJerusarema kunonamata;
  27898. Act 24:12 uye havana kundiwana mutembere ndichiita nharo nemunhu, kana kumutsira chaunga bongozozo, kunyange mumasinagoge kana muguta rose;
  27899. Act 24:13 uye havagoni kupa uchapupu pamusoro pezvinhu zvavanondimhan’arira ikozvino.
  27900. Act 24:14 Asi ndinobvuma izvi kwamuri, kuti nenzira yavanoti kutsauka, saizvozvo ndinoshumira Mwari wemadzibaba, ndichitenda zvinhu zvose zvakanyorwa pamurairo wose nepavaporofita;
  27901. Act 24:15 ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanomirirawo vamene, kuti kuchava nekumuka kwevakafa, kwevakarurama pamwe nevasakarurama.
  27902. Act 24:16 Uye pachinhu ichi ini ndinoidza, kuti nguva dzose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nekuvanhu.
  27903. Act 24:17 Zvino shure kwemakore mazhinji ndakasvika kuzopa zvipo zvenyasha kurudzi rwangu nezvibairo;
  27904. Act 24:18 ndiri pane izvozvi vamwe vaJudha vakabva Asia vakandiwana ndakanatswa mutembere, pasina chaunga, pasina bongozozo;
  27905. Act 24:19 vanofanira kuva pano pamberi penyu vandipe mhosva kana vane chekupokana neni;
  27906. Act 24:20 kana ivo pachavo ngavareve vamene, kuti vakawana chii chisakarurama mandiri, pandakamira pamberi pedare remakurukota,
  27907. Act 24:21 kunze kweshoko iri rimwe, randakadanidzira ndimire pakati pavo rekuti: Maererano nekumuka kwevakafa ini ndinotongwa nemwi nhasi.
  27908. Act 24:22 Asi Ferikisi wakati anzwa zvinhu izvi achiziva zvakanyanya zvenzira iyo akambovamisa, achiti: Kana Risiasi mutungamiri wechuru aburukira pano, ndichanyatsoongorora zviri maererano nemwi.
  27909. Act 24:23 Ndokuraira mukuru wezana kuti achengete Pauro, uye ave nerusununguko, uye kuti varege kudzivisa umwe wevekwake kushumira kana kumushanyira.
  27910. Act 24:24 Zvino shure kwemamwe mazuva, Ferikisi wakasvika nemukadzi wake Drusira muJudhakadzi, akatuma kunodana Pauro, akamunzwa pamusoro perutendo kuna Kristu.
  27911. Act 24:25 Zvino wakati achitaura zvekururama nezvekuzvidzora uye zvekutonga kunouya, Ferikisi akatya akapindura akati: Enda zvaikozvino; kana ndikazova nenguva yakafanira, ndichakudana;
  27912. Act 24:26 panguva iyoyo waitarisirawo kuti mari ichapiwa kwaari naPauro, kuti amusunungure; naizvozvo wakamudanawo kazhinji achitaura naye.
  27913. Act 24:27 Asi makore maviri akati azadziswa, Ferikisi akagamuchira waimutevera Pokio Fesitasi; Ferikisi akada kufadza vaJudha akasiya Pauro akasungwa.
  27914. Act 25:1 Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
  27915. Act 25:2 Zvino mupristi mukuru nevakuru vevaJudha vakamhan’arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
  27916. Act 25:3 vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.
  27917. Act 25:4 Asi Fesitasi wakapindura kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene waiva okurumidza kuendako.
  27918. Act 25:5 Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.
  27919. Act 25:6 Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.
  27920. Act 25:7 Zvino wakati asvika, vaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavaiva vasingagoni kusimbisa,
  27921. Act 25:8 iye achizvidavirira akati: Kumurairo wevaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.
  27922. Act 25:9 Asi Fesitasi achida kufadza vaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
  27923. Act 25:10 Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuvaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.
  27924. Act 25:11 Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.
  27925. Act 25:12 Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
  27926. Act 25:13 Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.
  27927. Act 25:14 Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,
  27928. Act 25:15 wandakati pandaiva ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamumhan’arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.
  27929. Act 25:16 Vandakapindura, kuti haisi tsika yevaRoma kukumikidza chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.
  27930. Act 25:17 Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.
  27931. Act 25:18 Vamhan’ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,
  27932. Act 25:19 asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu waiva afa, Pauro waaiti mupenyu.
  27933. Act 25:20 Zvino ini zvandaiva ndisina chokwadi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
  27934. Act 25:21 Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvika ndichimutumira kuna Kesari.
  27935. Act 25:22 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
  27936. Act 25:23 Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, Pauro akaunzwa.
  27937. Act 25:24 Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vose vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chose chevaJudha wachakandikumbira zvose paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
  27938. Act 25:25 Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.
  27939. Act 25:26 Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.
  27940. Act 25:27 Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.
  27941. Act 26:1 Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira [achiti]:
  27942. Act 26:2 Pane zvose zvandakamhan’arirwa nevaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;
  27943. Act 26:3 zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzose nemakakava ari pakati pevaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai kuti mundinzwe nemoyo murefu.
  27944. Act 26:4 Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, vaJudha vose vanoziva,
  27945. Act 26:5 vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi.
  27946. Act 26:6 Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba,
  27947. Act 26:7 marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva nevaJudha.
  27948. Act 26:8 Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?
  27949. Act 26:9 Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta;
  27950. Act 26:10 neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza.
  27951. Act 26:11 Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ose, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvika nekumaguta ekunze.
  27952. Act 26:12 Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,
  27953. Act 26:13 pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni.
  27954. Act 26:14 Zvino takati tose tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo.
  27955. Act 26:15 Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe.
  27956. Act 26:16 Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvose chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri,
  27957. Act 26:17 ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino,
  27958. Act 26:18 kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri.
  27959. Act 26:19 Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;
  27960. Act 26:20 asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rose reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
  27961. Act 26:21 Nekuda kwezvinhu izvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.
  27962. Act 26:22 Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvika zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika,
  27963. Act 26:23 kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni.
  27964. Act 26:24 Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.
  27965. Act 26:25 Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri.
  27966. Act 26:26 Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona.
  27967. Act 26:27 Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
  27968. Act 26:28 Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu.
  27969. Act 26:29 Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevose vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi.
  27970. Act 26:30 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevaiva vagere navo;
  27971. Act 26:31 vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo.
  27972. Act 26:32 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari.
  27973. Act 27:1 Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru.
  27974. Act 27:2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.
  27975. Act 27:3 Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, kuti abatsirwe.
  27976. Act 27:4 Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa,
  27977. Act 27:5 tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia.
  27978. Act 27:6 Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri.
  27979. Act 27:7 Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni;
  27980. Act 27:8 tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea.
  27981. Act 27:9 Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwaiva kwatopfuura, Pauro akavayambira,
  27982. Act 27:10 achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu.
  27983. Act 27:11 Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.
  27984. Act 27:12 Zvino sezvo zororo raiva risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, raiva rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nekumaodzanyemba akadziva kumavirira.
  27985. Act 27:13 Zvino mhepo yechamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe.
  27986. Act 27:14 Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova;
  27987. Act 27:15 zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa.
  27988. Act 27:16 Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu;
  27989. Act 27:17 chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo.
  27990. Act 27:18 Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze;
  27991. Act 27:19 uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu.
  27992. Act 27:20 Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yose yekuti tichaponeswa ikatorwa.
  27993. Act 27:21 Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa.
  27994. Act 27:22 Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe.
  27995. Act 27:23 Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,
  27996. Act 27:24 achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vose vanofamba newe muchikepe.
  27997. Act 27:25 Naizvozvo varume, tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvo senzira yandakaudzwa nayo.
  27998. Act 27:26 Asi tinofanira kurasirwa pane chimwe chiwi.
  27999. Act 27:27 Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari.
  28000. Act 27:28 Vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu;
  28001. Act 27:29 zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.
  28002. Act 27:30 Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe,
  28003. Act 27:31 Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa.
  28004. Act 27:32 Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa.
  28005. Act 27:33 Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vose kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu.
  28006. Act 27:34 Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa kubva pamusoro weumwe wenyu.
  28007. Act 27:35 Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose, akati achimedura akatanga kudya.
  28008. Act 27:36 Zvino vakatsunga moyo vose, ivowo vakadya.
  28009. Act 27:37 Zvino isu, mweya yeupenyu yose yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.
  28010. Act 27:38 Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa.
  28011. Act 27:39 Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri.
  28012. Act 27:40 Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.
  28013. Act 27:41 Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.
  28014. Act 27:42 Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.
  28015. Act 27:43 Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;
  28016. Act 27:44 uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.
  28017. Act 28:1 Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
  28018. Act 28:2 Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tose, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando.
  28019. Act 28:3 Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake.
  28020. Act 28:4 Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.
  28021. Act 28:5 Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara.
  28022. Act 28:6 Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura pfungwa dzavo voti iye ndimwari.
  28023. Act 28:7 Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
  28024. Act 28:8 Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vaiva varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa.
  28025. Act 28:9 Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa;
  28026. Act 28:10 ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.
  28027. Act 28:11 Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chaiva chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri.
  28028. Act 28:12 Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu.
  28029. Act 28:13 Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori;
  28030. Act 28:14 matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma.
  28031. Act 28:15 Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
  28032. Act 28:16 Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari oga, nemuuto anomurinda.
  28033. Act 28:17 Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru vevaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko evaRoma;
  28034. Act 28:18 ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti paiva pasina chikonzero cherufu kwandiri.
  28035. Act 28:19 Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan’arira rudzi rwangu.
  28036. Act 28:20 Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.
  28037. Act 28:21 Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako.
  28038. Act 28:22 Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kose-kose.
  28039. Act 28:23 Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvose kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvika madekwani.
  28040. Act 28:24 Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.
  28041. Act 28:25 Zvino zvavaiva vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,
  28042. Act 28:26 achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi.
  28043. Act 28:27 Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa.
  28044. Act 28:28 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, uye ivo vachanzwa.
  28045. Act 28:29 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, vaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.
  28046. Act 28:30 Pauro akagara makore maviri agere mumba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vose vaipinda kwaari,
  28047. Act 28:31 achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwose, pasina kudziviswa
  28048. Rom 1:1 Pauro, muranda waJesu Kristu, wakadanwa [kuva] muapositori, atsaurirwa evhangeri yaMwari,
  28049. Rom 1:2 yaakagara avimbisa nevaporofita vake mumagwaro matsvene,
  28050. Rom 1:3 maererano neMwanakomana wake, wakabva kumbeu yaDhavhidhi zvichienderana nenyama,
  28051. Rom 1:4 wakatemerwa kuva Mwanakomana waMwari nesimba, maererano neMweya weutsvene, nekumuka kwevakafa, ndiye Jesu Kristu Ishe wedu;
  28052. Rom 1:5 watakagamuchira naye nyasha nevuapositori kuti kuve kuteerera kwerutendo pakati pevahedheni vose, nekuda kwezita rake,
  28053. Rom 1:6 vamuri pakati pavo nemwi, vakadanwa vaJesu Kristu;
  28054. Rom 1:7 kuna vose vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuva vatsvene: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
  28055. Rom 1:8 Kutangawo ndinovonga Mwari wangu nemuna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, kuti rutendo rwenyu rwunoparidzirwa panyika yose.
  28056. Rom 1:9 Nokuti Mwari chapupu changu, wandinoshumira pamweya wangu muevhangeri yeMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
  28057. Rom 1:10 panguva dzose muminyengetero yangu ndinokumbira, kuti kana zvichigoneka nechido chaMwari, ndibudirire kuuya kwamuri pakuguma.
  28058. Rom 1:11 Nokuti ndinoshuva kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chemweya, kuti musimbiswe,
  28059. Rom 1:12 ndiko kuti, ndinyaradzwe pamwe pakati penyu, nerutendo rweumwe neumwe, zvose rwenyu nerwangu.
  28060. Rom 1:13 Zvino handidi kuti musaziva, hama, kuti kazhinji ndaizvipira kuuya kwamuri (ndokudziviswa kusvika ikozvino), kuti ndive nechimwe chibereko pakati penyuwo, sepakati pevamwe vahedheniwo.
  28061. Rom 1:14 Ndine ngava kuvaGiriki nekuvatorwawo, kuvakachenjera nekuna vasina kuchenjerawo;
  28062. Rom 1:15 saizvozvo sezviri mandiri ndakagadzirira kuparidza evhangeri kwamuriwo imwi muri paRoma.
  28063. Rom 1:16 Nokuti handinyadziswi neevhangeri yaKristu; nokuti isimba raMwari rinoendesa kuruponeso kune umwe neumwe anotenda, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo.
  28064. Rom 1:17 Nokuti kururama kwaMwari kunoratidzwa mairi kubva parutendo kusvika parutendo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Asi wakarurama achararama nerutendo.
  28065. Rom 1:18 Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kubva kudenga pamusoro pekusada Mwari kose nekusarurama kwevanhu vanodzivisa chokwadi nekusarurama;
  28066. Rom 1:19 nokuti izvo zvinozikanwa pamusoro paMwari zviri pachena pakati pavo; nokuti Mwari wakazviratidza kwavari.
  28067. Rom 1:20 Nokuti zvisingaonekwi zvake, kubva pakusikwa kwenyika, zvinonzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvinooneswa pachena, simba rake rekusingaperi pamwe neuMwari hwake, kuti vasava nemanzvengero;
  28068. Rom 1:21 nokuti vakati vaziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari kana kuvonga, asi vakava vasina maturo mumirangariro yavo, nemoyo wavo usinganzwisisi wakaitwa mutema.
  28069. Rom 1:22 Vachizvipupurira kuva vakachenjera vakava mapenzi,
  28070. Rom 1:23 uye vakashandurira kubwinya kwaMwari asingafi kumufananidzo wechifananidzo chemunhu anofa nekushiri nekuzvine makumbo mana nekuzvinokambaira.
  28071. Rom 1:24 Naizvozvowo Mwari wakavapa kutsvina kubudikidza nekuchiva kwemoyo yavo, kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo;
  28072. Rom 1:25 avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, uye vakanamata nekushumira chisikwa kupfuura Musiki, iye anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni.
  28073. Rom 1:26 Nekuda kweizvozvo Mwari wakavapa kukuchiva kunonyadzisa; nokuti kunyange vanhukadzi vavo vakashandura basa rechisikirwo rive rinopesana nechisikirwo;
  28074. Rom 1:27 uye saizvozvowo vanhurume vakasiya basa rechisikirwo kumunhukadzi, vakapiswa nekuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume vachiita zvinonyadzisa vachigamuchira mukati mavo muripo wakafanira kurasika kwavo.
  28075. Rom 1:28 Uye zvavakaona zvisina kufanira kugara naMwari muruzivo, Mwari wakavapa kumurangariro wakaraswa, kuti vaite zvinhu zvisakafanira;
  28076. Rom 1:29 vakazadzwa nekusarurama kose, ufeve, kuipa, ruchiva, unhubu, kuzara negodo, umhondi, gakava, kunyengera, utsotsi, vanoita makuhwa,
  28077. Rom 1:30 vacheri, vavengi vaMwari, vazvidzi, vadadi, vanozvikudza, vavambi vezvakaipa, vasingateereri vabereki,
  28078. Rom 1:31 vasinganzwisisi, vaputsi vesungano, vane utsinye, vasingaregereri, vasina tsitsi,
  28079. Rom 1:32 avo vanoti vachiziva murairo wekururama kwaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa nerufu, havaiti izvo chete, asiwo vanotenderana nevanozviita.
  28080. Rom 2:1 Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.
  28081. Rom 2:2 Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro.
  28082. Rom 2:3 Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here?
  28083. Rom 2:4 Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?
  28084. Rom 2:5 Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari,
  28085. Rom 2:6 iye achapa mubairo kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;
  28086. Rom 2:7 upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa;
  28087. Rom 2:8 asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha,
  28088. Rom 2:9 dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya weupenyu umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo;
  28089. Rom 2:10 asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo;
  28090. Rom 2:11 nokuti hakuna rusarura rwemunhu kuna Mwari.
  28091. Rom 2:12 Nokuti vose vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vose vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;
  28092. Rom 2:13 nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama.
  28093. Rom 2:14 Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene;
  28094. Rom 2:15 vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo,
  28095. Rom 2:16 nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.
  28096. Rom 2:17 Tarira iwe unonzi muJudha, uye unozembera pamurairo, unozvikudza muna Mwari,
  28097. Rom 2:18 uye unoziva chido chake, nekugamuchira zvakanakisa, uchidzidziswa kubva pamurairo,
  28098. Rom 2:19 uye unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,
  28099. Rom 2:20 murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;
  28100. Rom 2:21 naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here?
  28101. Rom 2:22 Iwe anoti usapomba, unopomba here? Iwe anosema zvifananidzo, unopamba tembere here?
  28102. Rom 2:23 Iwe anozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?
  28103. Rom 2:24 Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa.
  28104. Rom 2:25 Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.
  28105. Rom 2:26 Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here?
  28106. Rom 2:27 Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa?
  28107. Rom 2:28 Nokuti haasi muJudha, ari muJudha rwekunze, kana kudzingiswa kuri kwekunze panyama;
  28108. Rom 2:29 asi iye muJudha ari iye makavanda, nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete murugwaro; ane kurumbidzwa kwake kusingabvi kuvanhu asi kuna Mwari.
  28109. Rom 3:1 Ko zvino muJudha ane pundutso yei, kana rubatsiro rwekudzingiswa [nde]rwupi?
  28110. Rom 3:2 Zvizhinji nemutoo wose; nokuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.
  28111. Rom 3:3 Nokuti ko kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?
  28112. Rom 3:4 Ngazvisadaro! Asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wose murevi wenhema, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti munzi makarurama pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.
  28113. Rom 3:5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichati chii? Kuti Mwari haana kururama here anodurura hasha? (Ndinotaura semunhu.)
  28114. Rom 3:6 Ngazvisadaro! Kana zvakadaro Mwari angagozotonga nyika sei?
  28115. Rom 3:7 Nokuti kana chokwadi chaMwari chakawanzwa nenhema dzangu parumbidzo yake, ini ndichiri kutongerweiwo semutadzi?
  28116. Rom 3:8 Uye zvikasadaro tichapomerwa zvakaipa, uye sezvinotaura vamwe kuti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kuraswa kwavo kunova kwakarurama.
  28117. Rom 3:9 Ko zvino? Tiri nani here? Kwete nepadiki pose; nokuti tambopa mhosva vose vaJudha nevaGiriki kuti vose vari pasi pechivi,
  28118. Rom 3:10 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;
  28119. Rom 3:11 hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari;
  28120. Rom 3:12 vose vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, hakuna kunyange neumwe;
  28121. Rom 3:13 huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu huri pasi pemiromo yavo;
  28122. Rom 3:14 vemuromo wavo uzere nekutuka nekuvava;
  28123. Rom 3:15 tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
  28124. Rom 3:16 kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo,
  28125. Rom 3:17 uye nzira yerugare havana kuiziva;
  28126. Rom 3:18 kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.
  28127. Rom 3:19 Zvino tinoziva kuti zvose murairo zvaunoreva, unozvireva kune vari pasi pemurairo; kuti muromo umwe neumwe udzivirwe, nenyika yose ive nemhosva kuna Mwari;
  28128. Rom 3:20 naizvozvo nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama pamberi pake; nokuti nemurairo kune ruzivo rwechivi.
  28129. Rom 3:21 Asi ikozvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwemurairo, kuchipupurwa nemurairo nevaporofita;
  28130. Rom 3:22 ikowo kururama kwaMwari kubudikidza nerutendo rwaJesu Kristu kune vose nepamusoro pevose vanotenda; nokuti hapana musiyano;
  28131. Rom 3:23 nokuti vose vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari,
  28132. Rom 3:24 vachinzi vakarurama pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu;
  28133. Rom 3:25 iye Mwari waakagadza kuva muripo wekuyananisa, nerutendo muropa rake, kuva chiratidzo chekururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;
  28134. Rom 3:26 kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva yaikozvino, kuti ave wakarurama uye kururamisa ari werutendo rwaJesu.
  28135. Rom 3:27 Naizvozvo kuzvikudza kuripi? Kwavharirwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.
  28136. Rom 3:28 Naizvozvo tinogura kuti munhu anonzi wakarurama nerutendo, kunze kwemabasa emurairo.
  28137. Rom 3:29 Kuti ndiMwari wevaJudha voga here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu wevahedheniwo;
  28138. Rom 3:30 Mwari zvaari zvirokwazvo mumwe, achati kudzingiswa kwakarurama kubva parutendo, nevasina kudzingiswa nerutendo.
  28139. Rom 3:31 Naizvozvo tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.
  28140. Rom 4:1 Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama?
  28141. Rom 4:2 Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari.
  28142. Rom 4:3 Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
  28143. Rom 4:4 Asi kune anoshanda, mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava.
  28144. Rom 4:5 Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.
  28145. Rom 4:6 Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti:
  28146. Rom 4:7 Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa.
  28147. Rom 4:8 Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi.
  28148. Rom 4:9 Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama.
  28149. Rom 4:10 Ko kwakaverengwa sei? Paaiva ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.
  28150. Rom 4:11 Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaaiva anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevose vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;
  28151. Rom 4:12 uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa.
  28152. Rom 4:13 Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo.
  28153. Rom 4:14 Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa;
  28154. Rom 4:15 nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo.
  28155. Rom 4:16 Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yose; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tose,
  28156. Rom 4:17 (sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo.
  28157. Rom 4:18 Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvaiva zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako.
  28158. Rom 4:19 Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene waiva watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara;
  28159. Rom 4:20 asi haana kusava nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,
  28160. Rom 4:21 achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, waiva achigonawo kuchiita.
  28161. Rom 4:22 Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.
  28162. Rom 4:23 Asi zvaiva zvisina kunyorwa nekuda kwake oga, kuti zvakaverengerwa kwaari;
  28163. Rom 4:24 asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa,
  28164. Rom 4:25 wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.
  28165. Rom 5:1 Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,
  28166. Rom 5:2 watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.
  28167. Rom 5:3 Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira,
  28168. Rom 5:4 uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro;
  28169. Rom 5:5 uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri.
  28170. Rom 5:6 Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
  28171. Rom 5:7 Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka.
  28172. Rom 5:8 Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.
  28173. Rom 5:9 Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha.
  28174. Rom 5:10 Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake;
  28175. Rom 5:11 zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso.
  28176. Rom 5:12 Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;
  28177. Rom 5:13 nokuti kusvika murairo wavapo chivi chaiva chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi pasina murairo,
  28178. Rom 5:14 asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvika kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevaiva vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye waiva achizouya.
  28179. Rom 5:15 Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu.
  28180. Rom 5:16 Uye chipo hachina kuita sekubudikidza neumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kune umwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva.
  28181. Rom 5:17 Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu oga, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu.
  28182. Rom 5:18 Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vose mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vose mukusapiwa mhosva kweupenyu.
  28183. Rom 5:19 Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.
  28184. Rom 5:20 Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;
  28185. Rom 5:21 kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu.
  28186. Rom 6:1 Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?
  28187. Rom 6:2 Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?
  28188. Rom 6:3 Kana hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
  28189. Rom 6:4 Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu.
  28190. Rom 6:5 Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, zvirokwazvo tichadarowo pakumuka kwake;
  28191. Rom 6:6 tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi;
  28192. Rom 6:7 nokuti uyo wakafa wakasunungurwa pachivi.
  28193. Rom 6:8 Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;
  28194. Rom 6:9 tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake.
  28195. Rom 6:10 Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari.
  28196. Rom 6:11 Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu.
  28197. Rom 6:12 Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwawo;
  28198. Rom 6:13 uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.
  28199. Rom 6:14 Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.
  28200. Rom 6:15 Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!
  28201. Rom 6:16 Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?
  28202. Rom 6:17 Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri;
  28203. Rom 6:18 uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama.
  28204. Rom 6:19 Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene.
  28205. Rom 6:20 Nokuti pamaiva varanda vechivi, maiva makasununguka pakururama.
  28206. Rom 6:21 Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu.
  28207. Rom 6:22 Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi.
  28208. Rom 6:23 Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
  28209. Rom 7:1 Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yose yaanenge ari mupenyu?
  28210. Rom 7:2 Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume.
  28211. Rom 7:3 Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava weumwe murume.
  28212. Rom 7:4 Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
  28213. Rom 7:5 Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubudikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu.
  28214. Rom 7:6 Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvataiva takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro.
  28215. Rom 7:7 Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo waiva usina kureva kuti: Usachiva.
  28216. Rom 7:8 Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwose; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa.
  28217. Rom 7:9 Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa;
  28218. Rom 7:10 uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu;
  28219. Rom 7:11 nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo.
  28220. Rom 7:12 Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka.
  28221. Rom 7:13 Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.
  28222. Rom 7:14 Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.
  28223. Rom 7:15 Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita.
  28224. Rom 7:16 Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.
  28225. Rom 7:17 Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
  28226. Rom 7:18 Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani.
  28227. Rom 7:19 Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita.
  28228. Rom 7:20 Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
  28229. Rom 7:21 Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.
  28230. Rom 7:22 Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati;
  28231. Rom 7:23 asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.
  28232. Rom 7:24 Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu?
  28233. Rom 7:25 Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.
  28234. Rom 8:1 Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.
  28235. Rom 8:2 Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu.
  28236. Rom 8:3 Nokuti zvaiva zvisingagoneki nemurairo, pakuti waiva une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;
  28237. Rom 8:4 kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.
  28238. Rom 8:5 Nokuti avo vepanyama vanofunganya zvinhu zvenyama; asi vari paMweya zvinhu zveMweya.
  28239. Rom 8:6 Nokuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kweMweya upenyu nerugare;
  28240. Rom 8:7 nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo;
  28241. Rom 8:8 neavo vari munyama havagoni kufadza Mwari.
  28242. Rom 8:9 Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake.
  28243. Rom 8:10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.
  28244. Rom 8:11 Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri.
  28245. Rom 8:12 Naizvozvo zvino, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame maererano nenyama;
  28246. Rom 8:13 nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.
  28247. Rom 8:14 Nokuti vose vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
  28248. Rom 8:15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha, Baba.
  28249. Rom 8:16 Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
  28250. Rom 8:17 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye.
  28251. Rom 8:18 Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
  28252. Rom 8:19 Nokuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kubudiswa pachena kwevana vaMwari.
  28253. Rom 8:20 Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariro
  28254. Rom 8:21 kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.
  28255. Rom 8:22 Nokuti tinoziva kuti chisikwa chose chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvika ikozvino.
  28256. Rom 8:23 Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu.
  28257. Rom 8:24 Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve?
  28258. Rom 8:25 Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.
  28259. Rom 8:26 Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki;
  28260. Rom 8:27 zvino iye anonzvera moyo anoziva pfungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari.
  28261. Rom 8:28 Uye tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake.
  28262. Rom 8:29 Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nemufananidzo weMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji;
  28263. Rom 8:30 neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
  28264. Rom 8:31 Zvino tichatii kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?
  28265. Rom 8:32 Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tose, angarega sei kutipa zvose pachena pamwe nayewo?
  28266. Rom 8:33 Ndiani achapa mhosva pavasanangurwa vaMwari? NdiMwari anoti vakarurama;
  28267. Rom 8:34 ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera.
  28268. Rom 8:35 Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?
  28269. Rom 8:36 Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinoverengwa semakwai ekubaiwa.
  28270. Rom 8:37 Asi pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nekupfuurisa naiye wakatida.
  28271. Rom 8:38 Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouya
  28272. Rom 8:39 kana urefu kana udzamu kana chimwe chisikwa chipi zvacho chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
  28273. Rom 9:1 Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene,
  28274. Rom 9:2 kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.
  28275. Rom 9:3 Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama;
  28276. Rom 9:4 vari vaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso,
  28277. Rom 9:5 madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvose, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni.
  28278. Rom 9:6 Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vose vakabva kuna Israeri, vari vaIsraeri;
  28279. Rom 9:7 kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vose vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako.
  28280. Rom 9:8 Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.
  28281. Rom 9:9 Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana.
  28282. Rom 9:10 Handizvo chete, asi naRabheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu;
  28283. Rom 9:11 nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana,
  28284. Rom 9:12 zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki;
  28285. Rom 9:13 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
  28286. Rom 9:14 Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!
  28287. Rom 9:15 Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, uye ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni.
  28288. Rom 9:16 Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi.
  28289. Rom 9:17 Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
  28290. Rom 9:18 Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda.
  28291. Rom 9:19 Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake?
  28292. Rom 9:20 Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi?
  28293. Rom 9:21 Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?
  28294. Rom 9:22 Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa;
  28295. Rom 9:23 uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,
  28296. Rom 9:24 kunyange isu, vaakadana, kusiri kuvaJudha chete, asi nekuvahedheni?
  28297. Rom 9:25 Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye waiva asingadikanwi mudikanwi;
  28298. Rom 9:26 zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.
  28299. Rom 9:27 Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
  28300. Rom 9:28 nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika.
  28301. Rom 9:29 Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora.
  28302. Rom 9:30 Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo;
  28303. Rom 9:31 asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.
  28304. Rom 9:32 Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura.
  28305. Rom 9:33 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.
  28306. Rom 10:1 Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti [va]poneswe.
  28307. Rom 10:2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;
  28308. Rom 10:3 nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
  28309. Rom 10:4 Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.
  28310. Rom 10:5 Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo kuti: Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.
  28311. Rom 10:6 Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;
  28312. Rom 10:7 kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa.
  28313. Rom 10:8 Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;
  28314. Rom 10:9 kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;
  28315. Rom 10:10 nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.
  28316. Rom 10:11 Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.
  28317. Rom 10:12 Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevose, wakafuma kune vose vanodana kwaari.
  28318. Rom 10:13 Nokuti wose ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.
  28319. Rom 10:14 Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?
  28320. Rom 10:15 Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?
  28321. Rom 10:16 Asi vose havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?
  28322. Rom 10:17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
  28323. Rom 10:18 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yose, nemashoko avo kumigumo yenyika.
  28324. Rom 10:19 Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi; nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
  28325. Rom 10:20 NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.
  28326. Rom 10:21 Asi kuna Israeri anoti: Zuva rose ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.
  28327. Rom 11:1 Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.
  28328. Rom 11:2 Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana nevaIsraeri, achiti:
  28329. Rom 11:3 Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
  28330. Rom 11:4 Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
  28331. Rom 11:5 Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
  28332. Rom 11:6 Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.
  28333. Rom 11:7 Ko zvino? Israeri zvaaiva achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;
  28334. Rom 11:8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvika zuva ranhasi.
  28335. Rom 11:9 NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;
  28336. Rom 11:10 meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.
  28337. Rom 11:11 Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
  28338. Rom 11:12 Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
  28339. Rom 11:13 Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;
  28340. Rom 11:14 kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.
  28341. Rom 11:15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?
  28342. Rom 11:16 Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.
  28343. Rom 11:17 Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,
  28344. Rom 11:18 usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
  28345. Rom 11:19 Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
  28346. Rom 11:20 Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;
  28347. Rom 11:21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.
  28348. Rom 11:22 Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.
  28349. Rom 11:23 Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
  28350. Rom 11:24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?
  28351. Rom 11:25 Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvika kwapinda kuzara kwavahedheni;
  28352. Rom 11:26 saizvozvowo Israeri wose achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
  28353. Rom 11:27 Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
  28354. Rom 11:28 Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;
  28355. Rom 11:29 nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
  28356. Rom 11:30 Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;
  28357. Rom 11:31 saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;
  28358. Rom 11:32 nokuti Mwari wakavapfigira vose mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vose.
  28359. Rom 11:33 Haiwa kudzika kwefuma, zvose yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!
  28360. Rom 11:34 Nokuti ndiani wakaziva pfungwa yaIshe? Kana ndiani waiva ari murairidzi wake?
  28361. Rom 11:35 Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?
  28362. Rom 11:36 Nokuti zvose zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni.
  28363. Rom 12:1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, [chive] chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, [ndiko] kunamata kwenyu kunonzwisisika.
  28364. Rom 12:2 Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwepfungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara.
  28365. Rom 12:3 Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo.
  28366. Rom 12:4 Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yose haina basa rakafanana;
  28367. Rom 12:5 saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe.
  28368. Rom 12:6 Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo;
  28369. Rom 12:7 kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa;
  28370. Rom 12:8 kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wose; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro.
  28371. Rom 12:9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka.
  28372. Rom 12:10 Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana.
  28373. Rom 12:11 Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;
  28374. Rom 12:12 muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero;
  28375. Rom 12:13 muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni.
  28376. Rom 12:14 Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka.
  28377. Rom 12:15 Farai nevanofara, uye chemai nevanochema.
  28378. Rom 12:16 Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera.
  28379. Rom 12:17 Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vose.
  28380. Rom 12:18 Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vose.
  28381. Rom 12:19 Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe.
  28382. Rom 12:20 Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.
  28383. Rom 12:21 Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.
  28384. Rom 13:1 Mweya weupenyu umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; uye masimba aripo akagadzwa naMwari.
  28385. Rom 13:2 Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa.
  28386. Rom 13:3 Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri;
  28387. Rom 13:4 nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa.
  28388. Rom 13:5 Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo.
  28389. Rom 13:6 Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi.
  28390. Rom 13:7 Naizvozvo ripirai vose zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo.
  28391. Rom 13:8 Musava nengava nemunhu, kunze kwerekudanana; nokuti anoda umwe, wazadzisa murairo.
  28392. Rom 13:9 Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.
  28393. Rom 13:10 Rudo haruiti zvakaipa kune wekwako; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo.
  28394. Rom 13:11 Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda.
  28395. Rom 13:12 Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza.
  28396. Rom 13:13 Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo.
  28397. Rom 13:14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musafunganyira nyama, mukuchiva.
  28398. Rom 14:1 Zvino ane utera parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.
  28399. Rom 14:2 Umwe anotenda kudya zvose, asi ane utera anodya miriwo.
  28400. Rom 14:3 Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.
  28401. Rom 14:4 Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa.
  28402. Rom 14:5 Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake.
  28403. Rom 14:6 Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari.
  28404. Rom 14:7 Nokuti hakuna umwe kwatiri anozviraramira, uye hakuna anozvifira.
  28405. Rom 14:8 Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe.
  28406. Rom 14:9 Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve, kuti ave Ishe wevose vakafa nevapenyu.
  28407. Rom 14:10 Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tose tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.
  28408. Rom 14:11 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari.
  28409. Rom 14:12 Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu achazvidavirira pachake kuna Mwari.
  28410. Rom 14:13 Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo.
  28411. Rom 14:14 Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.
  28412. Rom 14:15 Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira.
  28413. Rom 14:16 Naizvozvo zvakanaka zvenyu ngazvirege kunyombwa.
  28414. Rom 14:17 Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene.
  28415. Rom 14:18 Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu.
  28416. Rom 14:19 Naizvozvo zvino ngatitsvakisise zvinhu zverugare, nezvinhu zvekuvakana.
  28417. Rom 14:20 Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvose zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso.
  28418. Rom 14:21 Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba.
  28419. Rom 14:22 Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera.
  28420. Rom 14:23 Asi asina chokwadi, kana achidya, wava nemhosva, nokuti haadyi nerutendo; uye chose chisingabvi parutendo, chivi.
  28421. Rom 15:1 Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.
  28422. Rom 15:2 Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka.
  28423. Rom 15:3 Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.
  28424. Rom 15:4 Nokuti zvose zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.
  28425. Rom 15:5 Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu;
  28426. Rom 15:6 kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu.
  28427. Rom 15:7 Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari.
  28428. Rom 15:8 Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba;
  28429. Rom 15:9 uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.
  28430. Rom 15:10 Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake.
  28431. Rom 15:11 Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vose; mumukudzewo imwi vanhu vose.
  28432. Rom 15:12 Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari.
  28433. Rom 15:13 Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wose uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene.
  28434. Rom 15:14 Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwose, munogonawo kurairana.
  28435. Rom 15:15 Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,
  28436. Rom 15:16 kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene.
  28437. Rom 15:17 Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari;
  28438. Rom 15:18 nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa,
  28439. Rom 15:19 musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvika Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;
  28440. Rom 15:20 nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo yeumwe;
  28441. Rom 15:21 asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa.
  28442. Rom 15:22 Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;
  28443. Rom 15:23 asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri;
  28444. Rom 15:24 saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi.
  28445. Rom 15:25 Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene.
  28446. Rom 15:26 Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema.
  28447. Rom 15:27 Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama.
  28448. Rom 15:28 Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu.
  28449. Rom 15:29 Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.
  28450. Rom 15:30 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu;
  28451. Rom 15:31 kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene;
  28452. Rom 15:32 kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.
  28453. Rom 15:33 Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mose. Ameni.
  28454. Rom 16:1 Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya;
  28455. Rom 16:2 kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene.
  28456. Rom 16:3 Kwazisai Prisira naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu.
  28457. Rom 16:4 Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ose evahedheni;
  28458. Rom 16:5 kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.
  28459. Rom 16:6 Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.
  28460. Rom 16:7 Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.
  28461. Rom 16:8 Kwazisai Amupiriyasi mudikanwi wangu muna Ishe.
  28462. Rom 16:9 Kwazisai Obhano mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikanwi wangu.
  28463. Rom 16:10 Kwazisai Apere anotendwa muna Kristu. Kwazisai vekwaArisitobhuro.
  28464. Rom 16:11 Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisai vekwaNakiso, vari muna Ishe.
  28465. Rom 16:12 Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe.
  28466. Rom 16:13 Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake vari vanguwo.
  28467. Rom 16:14 Kwazisai Asingirita, Firegoni, Herimasi, Patrobhasi, Herimesi, nehama dzinavo.
  28468. Rom 16:15 Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vose vanavo.
  28469. Rom 16:16 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Makereke aKristu anokukwazisai.
  28470. Rom 16:17 Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge.
  28471. Rom 16:18 Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva.
  28472. Rom 16:19 Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa.
  28473. Rom 16:20 Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.
  28474. Rom 16:21 Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.
  28475. Rom 16:22 Ini Tetiosi, anonyora tsamba, ndinokukwazisai muna Ishe.
  28476. Rom 16:23 Gayosi, mugamuchiri wangu newekereke yose, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama.
  28477. Rom 16:24 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.
  28478. Rom 16:25 Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare,
  28479. Rom 16:26 asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ose pakuteerera kwerutendo,
  28480. Rom 16:27 kuna Mwari iye wakachenjera oga ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni
  28481. 1Co 1:1 Pauro wakadanwa [kuva] muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama,
  28482. 1Co 1:2 kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevose vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo:
  28483. 1Co 1:3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
  28484. 1Co 1:4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu;
  28485. 1Co 1:5 kuti pachinhu chose makafumiswa maari, panhaurwa yose neruzivo rwose,
  28486. 1Co 1:6 sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
  28487. 1Co 1:7 kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu,
  28488. 1Co 1:8 iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
  28489. 1Co 1:9 Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
  28490. 1Co 1:10 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mose mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe.
  28491. 1Co 1:11 Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
  28492. 1Co 1:12 Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.
  28493. 1Co 1:13 Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
  28494. 1Co 1:14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
  28495. 1Co 1:15 kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
  28496. 1Co 1:16 Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu.
  28497. 1Co 1:17 Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.
  28498. 1Co 1:18 Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
  28499. 1Co 1:19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi.
  28500. 1Co 1:20 Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?
  28501. 1Co 1:21 Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda.
  28502. 1Co 1:22 Nokuti nevaJudha vanokumbira chiratidzo, vaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri;
  28503. 1Co 1:23 asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuvaJudha chigumbuso, nekuvaGiriki upenzi;
  28504. 1Co 1:24 asi kune vakadanwa, vaJudha pamwe nevaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
  28505. 1Co 1:25 nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu.
  28506. 1Co 1:26 Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro;
  28507. 1Co 1:27 asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba;
  28508. 1Co 1:28 nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
  28509. 1Co 1:29 kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake.
  28510. 1Co 1:30 Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro;
  28511. 1Co 1:31 kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.
  28512. 1Co 2:1 Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari.
  28513. 1Co 2:2 Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.
  28514. 1Co 2:3 Uye ini ndaiva ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.
  28515. 1Co 2:4 Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;
  28516. 1Co 2:5 kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.
  28517. 1Co 2:6 Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo;
  28518. 1Co 2:7 asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu;
  28519. 1Co 2:8 dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya.
  28520. 1Co 2:9 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
  28521. 1Co 2:10 Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.
  28522. 1Co 2:11 Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari.
  28523. 1Co 2:12 Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari;
  28524. 1Co 2:13 zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya.
  28525. 1Co 2:14 Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya.
  28526. 1Co 2:15 Asi wemweya anonzvera zvinhu zvose, asi iye haanzverwi nemunhu.
  28527. 1Co 2:16 Nokuti ndiani wakaziva pfungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine pfungwa yaKristu.
  28528. 1Co 3:1 Zvino ini, hama, ndaiva ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.
  28529. 1Co 3:2 Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti maiva musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona;
  28530. 1Co 3:3 nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here?
  28531. 1Co 3:4 Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here?
  28532. 1Co 3:5 Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe?
  28533. 1Co 3:6 Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa.
  28534. 1Co 3:7 Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokurisa.
  28535. 1Co 3:8 Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.
  28536. 1Co 3:9 Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari.
  28537. 1Co 3:10 Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo.
  28538. 1Co 3:11 Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu.
  28539. 1Co 3:12 Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivha, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,
  28540. 1Co 3:13 basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.
  28541. 1Co 3:14 Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo.
  28542. 1Co 3:15 Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto.
  28543. 1Co 3:16 Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri?
  28544. 1Co 3:17 Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi.
  28545. 1Co 3:18 Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
  28546. 1Co 3:19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo;
  28547. 1Co 3:20 uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.
  28548. 1Co 3:21 Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvose ndezvenyu,
  28549. 1Co 3:22 kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvose ndezvenyu,
  28550. 1Co 3:23 uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.
  28551. 1Co 4:1 Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
  28552. 1Co 4:2 Uyezve, zvinotsvakwa pavachengeti, kuti ani nani awanikwe akatendeka.
  28553. 1Co 4:3 Asi kwandiri chinhu chidiki-diki kuti nditongeswe nemwi, kana nekutonga kwevanhu; asi neni handizvitongesi.
  28554. 1Co 4:4 Nokuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handinzi ndakarurama neizvozvo; asi anonditonga ndiIshe.
  28555. 1Co 4:5 Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvika Ishe auya, iye achabudisawo pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye acharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe acharumbidzwa naMwari.
  28556. 1Co 4:6 Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza neumwe muchipikisa umwe.
  28557. 1Co 4:7 Nokuti ndiani wakaita kuti usiyane nevamwe? Uye chii chaunacho chausina kugamuchira? Uye kanawo wakagamuchira, unozvikudzirei seusina kugamuchira?
  28558. 1Co 4:8 Matoguta, matofuma, matonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.
  28559. 1Co 4:9 Nokuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nokuti takaitwa chiokerwa kunyika, nekuvatumwa, nekuvanhu.
  28560. 1Co 4:10 Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
  28561. 1Co 4:11 Kusvika nguva ino tine nzarawo, uye tine nyota, uye takashama, uye tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi,
  28562. 1Co 4:12 uye tinoshingaira tichishanda nemaoko edu pachedu; tinoti tichitukwa tinoropafadza, tinoti tichishushwa tinotsunga moyo;
  28563. 1Co 4:13 kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvose, kusvika ikozvino.
  28564. 1Co 4:14 Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikanwa ndinokunyeverai.
  28565. 1Co 4:15 Nokuti kunyange mune varairidzi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.
  28566. 1Co 4:16 Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.
  28567. 1Co 4:17 Nemhaka iyi ndatuma Timotio kwamuri, anova mwana wangu anodikanwa, uye wakatendeka muna Ishe, achakuyeuchidzai nzira dzangu dziri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kose pakereke imwe neimwe.
  28568. 1Co 4:18 Zvino vamwe vakazvikudza sezvinonzi handiuyi kwamuri.
  28569. 1Co 4:19 Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.
  28570. 1Co 4:20 Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pashoko, asi pasimba.
  28571. 1Co 4:21 Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here, kana murudo nemweya weunyoro?
  28572. 1Co 5:1 Zvinonzwikwa chose [kuti] upombwe [huripo] pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake.
  28573. 1Co 5:2 Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu.
  28574. 1Co 5:3 Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya, ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo,
  28575. 1Co 5:4 muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu,
  28576. 1Co 5:5 kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.
  28577. 1Co 5:6 Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wose?
  28578. 1Co 5:7 Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu.
  28579. 1Co 5:8 Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa neyekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi.
  28580. 1Co 5:9 Ndakakunyorerai mutsamba kuti musafambidzana nemhombwe;
  28581. 1Co 5:10 asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana nevanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
  28582. 1Co 5:11 Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai.
  28583. 1Co 5:12 Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?
  28584. 1Co 5:13 Asi avo vari kunze Mwari anotonga. Uye dzingai wakaipa abve pakati penyu pachenyu.
  28585. 1Co 6:1 Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here?
  28586. 1Co 6:2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here?
  28587. 1Co 6:3 Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu huno?
  28588. 1Co 6:4 Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge.
  28589. 1Co 6:5 Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake?
  28590. 1Co 6:6 Asi hama inomhan’arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.
  28591. 1Co 6:7 Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan’arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro?
  28592. 1Co 6:8 Asi imwi munotadza nekubiridzira, uye izvi munozviita kuhama.
  28593. 1Co 6:9 Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume,
  28594. 1Co 6:10 kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.
  28595. 1Co 6:11 Uye vamwe venyu vaiva vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.
  28596. 1Co 6:12 Zvinhu zvose zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvose zvinobatsira; zvinhu zvose zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu.
  28597. 1Co 6:13 Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri.
  28598. 1Co 6:14 Uye Mwari wakamutsa Ishewo achatimutsa nesu nesimba rake.
  28599. 1Co 6:15 Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!
  28600. 1Co 6:16 Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe.
  28601. 1Co 6:17 Asi anobatanidzwa naIshe wava mweya umwe naye.
  28602. 1Co 6:18 Tizai upombwe. Chivi chose munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene.
  28603. 1Co 6:19 Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu?
  28604. 1Co 6:20 Nokuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu, uye mumweya wenyu, zviri zvaMwari.
  28605. 1Co 7:1 Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, [ndinoti]: Zvakanaka kumunhu kuti asabata mukadzi.
  28606. 1Co 7:2 Asi nekuda kweupombwe, umwe neumwe ngaave nemukadzi wake pachake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake pachake.
  28607. 1Co 7:3 Murume ngaaripire mukadzi chido chakafanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.
  28608. 1Co 7:4 Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi mukadzi.
  28609. 1Co 7:5 Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusazvidzora kwenyu.
  28610. 1Co 7:6 Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.
  28611. 1Co 7:7 Nokuti ndinoda kuti dai vanhu vose vava seni; asi umwe neumwe ane chipo chake pachake chinobva kuna Mwari, umwe chakadai, umwewo chakadai.
  28612. 1Co 7:8 Asi ndinoti kune vasina kuwana nekuchirikadzi: Zvakanaka kwavari kana vachigara seniwo.
  28613. 1Co 7:9 Asi kana vasina kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuwana pakutsva.
  28614. 1Co 7:10 Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini, asi Ishe, kuti mukadzi arege kuparadzana nemurume.
  28615. 1Co 7:11 Asi kana iye achiparadzana naye, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume; uye murume ngaarege kurasa mukadzi.
  28616. 1Co 7:12 Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe: Kana hama ipi ine mukadzi asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumurasa.
  28617. 1Co 7:13 Nemukadzi ane murume asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumusiya.
  28618. 1Co 7:14 Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.
  28619. 1Co 7:15 Zvino kana asingatendi achizviparadzanisa, ngaazviparadzanise; hamarume kana hamakadzi haisungwi pane zvakadaro; asi Mwari wakatidanira murugare.
  28620. 1Co 7:16 Nokuti unoziva nei, mukadzi, kana uchaponesa murume? Kana unoziva nei, murume, kana uchaponesa mukadzi?
  28621. 1Co 7:17 Chete Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Saizvozvowo ndinoraira pamakereke ose.
  28622. 1Co 7:18 Kune wakadanwa adzingiswa here? Ngaarege kuva asakadzingiswa. Kune wakadanwa asakadzingiswa here? Ngaaarege kudzingiswa.
  28623. 1Co 7:19 Dzingiso hachisi chinhu, nekusadzingiswa hachisi chinhu, asi kuchengetwa kwemirairo yaMwari.
  28624. 1Co 7:20 Umwe neumwe ngaagare mukudanwa kwaakadanwa makuri.
  28625. 1Co 7:21 Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asiwo kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.
  28626. 1Co 7:22 Nokuti uyo wakadanwa muna Ishe ari nhapwa, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadanwa akasununguka, wava nhapwa yaKristu.
  28627. 1Co 7:23 Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.
  28628. 1Co 7:24 Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pazviri anaMwari.
  28629. 1Co 7:25 Asi maererano nemhandara handina murairo waIshe; asi ndinopa maonero angu sewakawana tsitsi naIshe kuva wakatendeka.
  28630. 1Co 7:26 Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti adai.
  28631. 1Co 7:27 Wakasungirirwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.
  28632. 1Co 7:28 Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinokutavirirai.
  28633. 1Co 7:29 Asi ndinozvitaura izvi, hama, kuti nguva ipfupi; kubva ikozvino nevane vakadzi ngavave sevasina;
  28634. 1Co 7:30 nevanochema, sevasingachemi; nevanofara, sevasingafari; nevanotenga, sevasina chinhu;
  28635. 1Co 7:31 nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi kwazvo; nokuti chimiro chenyika ino chinopfuura.
  28636. 1Co 7:32 Asi ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Asina kuwana anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti angafadza Ishe sei;
  28637. 1Co 7:33 asi wakawana anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza mukadzi sei.
  28638. 1Co 7:34 Mukadzi wakasiyaniswa nemhandara. Asina kuwanikwa anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvose pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza murume sei.
  28639. 1Co 7:35 Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu pachenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu, asi zvakafanira nekunamatira kwazvo pana Ishe musingapinganidzwi.
  28640. 1Co 7:36 Asi kana umwe achifunga kuti anozvibata zvisakafanira kumhandara yake, iyo yakurisa, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawanane.
  28641. 1Co 7:37 Asi anomira akasimba mumoyo, asingamanikidzwi chinhu, uye ane simba pamusoro pechido chake pachake, akatema izvi mumoyo make kuti achachengeta mhandara yake, anoita zvakanaka.
  28642. 1Co 7:38 Naizvozvowo uyo anowananisa anoita zvakanaka; asi asingawananisi anoita zviri nani.
  28643. 1Co 7:39 Mukadzi wakasungwa nemurairo nguva dzose murume wake achirarama; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda, muna Ishe chete.
  28644. 1Co 7:40 Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu; uye ndinofunga kuti neni ndine Mweya waMwari.
  28645. 1Co 8:1 Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka.
  28646. 1Co 8:2 Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva;
  28647. 1Co 8:3 asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye.
  28648. 1Co 8:4 Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.
  28649. 1Co 8:5 Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),
  28650. 1Co 8:6 asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvose zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvose zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye.
  28651. 1Co 8:7 Asi ruzivo harwuko kwavari vose; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvika ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.
  28652. 1Co 8:8 Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa.
  28653. 1Co 8:9 Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba.
  28654. 1Co 8:10 Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here?
  28655. 1Co 8:11 Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira?
  28656. 1Co 8:12 Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.
  28657. 1Co 8:13 Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvika narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.
  28658. 1Co 9:1 Handisi muapositori here? Handisi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here?
  28659. 1Co 9:2 Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zvirokwazvo ndiri iye kwamuri; nokuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe.
  28660. 1Co 9:3 Kuzvidavirira kwangu kune vanondinzvera ndeuku.
  28661. 1Co 9:4 Hatina simba here rekudya nekumwa?
  28662. 1Co 9:5 Hatina kodzero yekutenderera nehanzvadzi mudzimai sevamwewo vaapositori, nevanin’ina vaIshe naKefasi here?
  28663. 1Co 9:6 Kana ndini ndoga naBhanabhasi tisina kodzero yekusashanda here?
  28664. 1Co 9:7 Ndiani anomboshanda muchiuto achizviripira mubairo? Ndiani anorima munda wemizambiringa, ndokusadya zvechibereko chawo? Kana ndiani anofudza boka akasadya zvemukaka weboka?
  28665. 1Co 9:8 Kuti zvinhu izvi ndinozvitaura semunhu? Kana murairo hautauriwo izvozvo here?
  28666. 1Co 9:9 Nokuti kwakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Kuti Mwari ane hanya nenzombe?
  28667. 1Co 9:10 Kana anoreva zvirokwazvo nekuda kwedu? Nokuti kwakanyorwa nekuda kwedu, kuti anorima anofanira kurima mutariro, neanopura mutariro yake, kugoverwa mutariro.
  28668. 1Co 9:11 Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana isu tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
  28669. 1Co 9:12 Kana vamwe vachigovana kodzero pamusoro penyu, isu hativadariki here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi, asi tinoitira moyo murefu zvose, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu.
  28670. 1Co 9:13 Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanodya zvetembere, vanorindira paaritari vanogovana nearitari here?
  28671. 1Co 9:14 Saizvozvo naIshe wakaraira kuti avo vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.
  28672. 1Co 9:15 Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi; uye handina kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti umwe ashaise kuzvikudza kwangu maturo.
  28673. 1Co 9:16 Nokuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chekuzvikudza nacho, nokuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; asi ndine nhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri.
  28674. 1Co 9:17 Nokuti kana ndichiita chinhu ichi ndichizvidira, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakabatiswa utariri.
  28675. 1Co 9:18 Ko mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa kodzero yangu muevhangeri zvakapfuurikidza.
  28676. 1Co 9:19 Nokuti ndakasununguka kune vose, ndizviite muranda kune vose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
  28677. 1Co 9:20 Uye kuvaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kune vari pasi pemurairo seari pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo;
  28678. 1Co 9:21 kune vasina murairo seasina murairo (ndisati ndiri asina murairo kuna Mwari, asi mumurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo;
  28679. 1Co 9:22 kune vasina simba ndakava seasina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvose kune vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.
  28680. 1Co 9:23 Uye izvi ndinoita nekuda kweevhangeri, kuti ndive mugovani pairi.
  28681. 1Co 9:24 Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi umwe anogamuchira mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
  28682. 1Co 9:25 Uye umwe neumwe anokwikwidza anozvidzora pazvinhu zvose; zvino ivo vanozviita kuti vagamuchire korona inoparara, asi isu isingaparari.
  28683. 1Co 9:26 Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seasina chokwadi; saizvozvo ndinorwa kwete seanorova mhepo;
  28684. 1Co 9:27 asi ndinotsikirira muviri wangu nekuuita muranda, kuti kana ndaparidzira vamwe, ini ndomene ndisaraswa.
  28685. 1Co 10:1 Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ose aiva ari pasi pegore, uye ose akagura nemugungwa,
  28686. 1Co 10:2 uye ose akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa,
  28687. 1Co 10:3 uye ose akadya kudya kumwe kwemweya,
  28688. 1Co 10:4 uye ose akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro raiva riri Kristu.
  28689. 1Co 10:5 Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje.
  28690. 1Co 10:6 Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo.
  28691. 1Co 10:7 Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.
  28692. 1Co 10:8 Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.
  28693. 1Co 10:9 Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
  28694. 1Co 10:10 Muregewo kun’un’una, sevamwe vavowo vakan’un’una, vakaparadzwa nemuparadzi.
  28695. 1Co 10:11 Zvinhu izvi zvose zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika.
  28696. 1Co 10:12 Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi.
  28697. 1Co 10:13 Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.
  28698. 1Co 10:14 Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
  28699. 1Co 10:15 Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura.
  28700. 1Co 10:16 Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?
  28701. 1Co 10:17 Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tose tinogovana pachingwa chimwe.
  28702. 1Co 10:18 Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here?
  28703. 1Co 10:19 Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here?
  28704. 1Co 10:20 Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.
  28705. 1Co 10:21 Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni.
  28706. 1Co 10:22 Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here?
  28707. 1Co 10:23 Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvose zvinovaka.
  28708. 1Co 10:24 Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.
  28709. 1Co 10:25 Zvose zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;
  28710. 1Co 10:26 nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
  28711. 1Co 10:27 Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chose chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.
  28712. 1Co 10:28 Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
  28713. 1Co 10:29 Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe?
  28714. 1Co 10:30 Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini?
  28715. 1Co 10:31 Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zvose zviitirei rukudzo rwaMwari.
  28716. 1Co 10:32 Regai kugumbusa zvose kuvaJudha nekuvaGiriki nekukereke yaMwari;
  28717. 1Co 10:33 seniwo ndinofadza vose pazvose, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe.
  28718. 1Co 11:1 Ivai vatevedzeri vangu, seniwo [ndiri] waKristu.
  28719. 1Co 11:2 Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.
  28720. 1Co 11:3 Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
  28721. 1Co 11:4 Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.
  28722. 1Co 11:5 Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.
  28723. 1Co 11:6 Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.
  28724. 1Co 11:7 Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
  28725. 1Co 11:8 Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;
  28726. 1Co 11:9 nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
  28727. 1Co 11:10 nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.
  28728. 1Co 11:11 Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.
  28729. 1Co 11:12 Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.
  28730. 1Co 11:13 Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
  28731. 1Co 11:14 Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
  28732. 1Co 11:15 Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
  28733. 1Co 11:16 Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.
  28734. 1Co 11:17 Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.
  28735. 1Co 11:18 Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.
  28736. 1Co 11:19 Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
  28737. 1Co 11:20 Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;
  28738. 1Co 11:21 nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.
  28739. 1Co 11:22 Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.
  28740. 1Co 11:23 Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
  28741. 1Co 11:24 zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.
  28742. 1Co 11:25 Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzose kana muchinwa, mukundirangarira.
  28743. 1Co 11:26 Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvika asvika.
  28744. 1Co 11:27 Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
  28745. 1Co 11:28 Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.
  28746. 1Co 11:29 Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.
  28747. 1Co 11:30 Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.
  28748. 1Co 11:31 Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;
  28749. 1Co 11:32 asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
  28750. 1Co 11:33 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
  28751. 1Co 11:34 Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.
  28752. 1Co 12:1 Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
  28753. 1Co 12:2 Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sezvamaitungamirirwa.
  28754. 1Co 12:3 Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe; kunze neMweya Mutsvene.
  28755. 1Co 12:4 Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
  28756. 1Co 12:5 Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe.
  28757. 1Co 12:6 Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvose mune vose.
  28758. 1Co 12:7 Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira.
  28759. 1Co 12:8 Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu;
  28760. 1Co 12:9 nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;
  28761. 1Co 12:10 nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
  28762. 1Co 12:11 asi izvi zvose Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.
  28763. 1Co 12:12 Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yose yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu.
  28764. 1Co 12:13 Nokutiwo neMweya umwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana vaJudha kana vaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe.
  28765. 1Co 12:14 Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
  28766. 1Co 12:15 Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here?
  28767. 1Co 12:16 Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here?
  28768. 1Co 12:17 Dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wose waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?
  28769. 1Co 12:18 Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada.
  28770. 1Co 12:19 Asi kana yose yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
  28771. 1Co 12:20 Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
  28772. 1Co 12:21 Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe.
  28773. 1Co 12:22 Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa;
  28774. 1Co 12:23 naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa;
  28775. 1Co 12:24 asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa,
  28776. 1Co 12:25 kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
  28777. 1Co 12:26 Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe nawo.
  28778. 1Co 12:27 Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe.
  28779. 1Co 12:28 Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
  28780. 1Co 12:29 Vose vaapositori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita mabasa esimba here?
  28781. 1Co 12:30 Vose vane zvipo zvekuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
  28782. 1Co 12:31 Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.
  28783. 1Co 13:1 Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza.
  28784. 1Co 13:2 Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose neruzivo rwose, uye kana ndine rutendo rwose, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
  28785. 1Co 13:3 Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvose, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
  28786. 1Co 13:4 Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,
  28787. 1Co 13:5 harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa;
  28788. 1Co 13:6 harwufari nekusarurama, asi rwunofara muchokwadi;
  28789. 1Co 13:7 rwunofukidza zvose, rwunotenda zvose, rwunotarisira zvose, rwunotsungirira pazvose.
  28790. 1Co 13:8 Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa.
  28791. 1Co 13:9 Nokuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;
  28792. 1Co 13:10 asi kana zvakazara zvasvika, ipapo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.
  28793. 1Co 13:11 Pandaiva ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche.
  28794. 1Co 13:12 Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini.
  28795. 1Co 13:13 Ikozvinowo rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.
  28796. 1Co 14:1 Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.
  28797. 1Co 14:2 Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.
  28798. 1Co 14:3 Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
  28799. 1Co 14:4 Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.
  28800. 1Co 14:5 Ndinodawo kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.
  28801. 1Co 14:6 Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?
  28802. 1Co 14:7 Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana mbira, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa mbira?
  28803. 1Co 14:8 Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?
  28804. 1Co 14:9 Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.
  28805. 1Co 14:10 Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.
  28806. 1Co 14:11 Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.
  28807. 1Co 14:12 Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
  28808. 1Co 14:13 Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.
  28809. 1Co 14:14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi pfungwa dzangu hadzina chibereko.
  28810. 1Co 14:15 Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nepfungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nepfungwawo.
  28811. 1Co 14:16 Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
  28812. 1Co 14:17 Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.
  28813. 1Co 14:18 Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mose;
  28814. 1Co 14:19 asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nepfungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
  28815. 1Co 14:20 Hama, musava vana papfungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
  28816. 1Co 14:21 Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.
  28817. 1Co 14:22 Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.
  28818. 1Co 14:23 Naizvozvo kana kereke yose yaungana panzvimbo imwe, vose ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?
  28819. 1Co 14:24 Asi kana vose vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevose, aongororwe nevose;
  28820. 1Co 14:25 uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
  28821. 1Co 14:26 Zvino chii, hama? Poga-poga pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvose ngazviitirwe kuvaka.
  28822. 1Co 14:27 Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
  28823. 1Co 14:28 Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaazvitaurire nekuna Mwari.
  28824. 1Co 14:29 Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.
  28825. 1Co 14:30 Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.
  28826. 1Co 14:31 Nokuti mose mungaporofita umwe-umwe, kuti vose vadzidze, uye vose vakurudzirwe;
  28827. 1Co 14:32 uye mweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
  28828. 1Co 14:33 Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ose evatsvene.
  28829. 1Co 14:34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
  28830. 1Co 14:35 Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.
  28831. 1Co 14:36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?
  28832. 1Co 14:37 Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.
  28833. 1Co 14:38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi.
  28834. 1Co 14:39 Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, uye musingadzivisi kutaura nendimi.
  28835. 1Co 14:40 Zvinhu zvose ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.
  28836. 1Co 15:1 Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;
  28837. 1Co 15:2 uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.
  28838. 1Co 15:3 Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;
  28839. 1Co 15:4 uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa nezuva retatu, zvichienderana nemagwaro;
  28840. 1Co 15:5 uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;
  28841. 1Co 15:6 shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo varipo kusvika ikozvino, asi vamwewo varara;
  28842. 1Co 15:7 shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; pashure kuvaapositori vose.
  28843. 1Co 15:8 Uye pakupedzisira kwevose akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.
  28844. 1Co 15:9 Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari.
  28845. 1Co 15:10 Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vose; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni.
  28846. 1Co 15:11 Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.
  28847. 1Co 15:12 Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?
  28848. 1Co 15:13 Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;
  28849. 1Co 15:14 uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo.
  28850. 1Co 15:15 Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi.
  28851. 1Co 15:16 Nokuti dai vakafa vasingamutswi, Kristu haanawo kumutswa;
  28852. 1Co 15:17 uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
  28853. 1Co 15:18 Naizvozvo nevarere muna Kristu vaparara.
  28854. 1Co 15:19 Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vose.
  28855. 1Co 15:20 Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.
  28856. 1Co 15:21 Nokuti sezvo nemunhu rufu rwakauya, kumuka kwevakafawo kwakauya nemunhu.
  28857. 1Co 15:22 Nokuti vose muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvowo vose muna Kristu vachararamiswa.
  28858. 1Co 15:23 Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,
  28859. 1Co 15:24 kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kose neushe hwose nesimba.
  28860. 1Co 15:25 Nokuti anofanira iye kutonga, kusvika aisa vose vavengi pasi petsoka dzake.
  28861. 1Co 15:26 Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu.
  28862. 1Co 15:27 Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvose pasi pake.
  28863. 1Co 15:28 Zvino kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose mune zvose.
  28864. 1Co 15:29 Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei?
  28865. 1Co 15:30 Nemhaka yei nesu tiri panjodzi awa rega-rega?
  28866. 1Co 15:31 Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.
  28867. 1Co 15:32 Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa.
  28868. 1Co 15:33 Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.
  28869. 1Co 15:34 Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi.
  28870. 1Co 15:35 Asi umwe achati: Vakafa vanomutswa sei? Uye vanouya nemuviri wakaita sei?
  28871. 1Co 15:36 Dununu, icho chaunodzvara iwe hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;
  28872. 1Co 15:37 uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe;
  28873. 1Co 15:38 asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo.
  28874. 1Co 15:39 Nyama yose haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri.
  28875. 1Co 15:40 Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe.
  28876. 1Co 15:41 Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.
  28877. 1Co 15:42 Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;
  28878. 1Co 15:43 kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.
  28879. 1Co 15:44 Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya.
  28880. 1Co 15:45 Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya weupenyu unoraramisa.
  28881. 1Co 15:46 Asi zvinotanga hazvisi zvemweya asi zvechisikirwo; tevere zvemweya.
  28882. 1Co 15:47 Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe anobva kudenga.
  28883. 1Co 15:48 Sewevhu, vakadarowo avo vevhu; uye sewekudenga, vakadarowo vekudenga.
  28884. 1Co 15:49 Uye sezvatakatakura chimiro chewevhu, tichatakurawo chimiro chewekudenga.
  28885. 1Co 15:50 Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.
  28886. 1Co 15:51 Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
  28887. 1Co 15:52 nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.
  28888. 1Co 15:53 Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, neichi chinofa chipfeke kusafa.
  28889. 1Co 15:54 Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
  28890. 1Co 15:55 Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi?
  28891. 1Co 15:56 Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.
  28892. 1Co 15:57 Zvino ngaavongwe Mwari anotipa kukunda naIshe wedu Jesu Kristu.
  28893. 1Co 15:58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbai, musingazungunuswi, nguva dzose muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.
  28894. 1Co 16:1 Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratiya, imwiwo itai saizvozvo.
  28895. 1Co 16:2 Nemusi wekutanga woga-woga wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
  28896. 1Co 16:3 Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa chipo chenyu kuJerusarema.
  28897. 1Co 16:4 Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
  28898. 1Co 16:5 Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;
  28899. 1Co 16:6 uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pose pandinoenda.
  28900. 1Co 16:7 Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.
  28901. 1Co 16:8 Asi ndichagara paEfeso kusvika paPendekosita.
  28902. 1Co 16:9 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye une simba; nevanopikisa vazhinji varipo.
  28903. 1Co 16:10 Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.
  28904. 1Co 16:11 Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.
  28905. 1Co 16:12 Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chaiva chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.
  28906. 1Co 16:13 Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
  28907. 1Co 16:14 Zvinhu zvenyu zvose ngazviitwe nerudo.
  28908. 1Co 16:15 Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
  28909. 1Co 16:16 kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vose vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.
  28910. 1Co 16:17 Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForitunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
  28911. 1Co 16:18 Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.
  28912. 1Co 16:19 Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
  28913. 1Co 16:20 Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
  28914. 1Co 16:21 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.
  28915. 1Co 16:22 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!
  28916. 1Co 16:23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.
  28917. 1Co 16:24 Rudo rwangu ngaruve nemwi mose muna Kristu Jesu. Ameni
  28918. 2Co 1:1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vose vari muAkaya yese:
  28919. 2Co 1:2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
  28920. 2Co 1:3 Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yose,
  28921. 2Co 1:4 anotinyaradza padambudziko redu rose, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari.
  28922. 2Co 1:5 Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu.
  28923. 2Co 1:6 Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu;
  28924. 2Co 1:7 uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo.
  28925. 2Co 1:8 Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu.
  28926. 2Co 1:9 Asi isu pachedu taiva tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa;
  28927. 2Co 1:10 wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve;
  28928. 2Co 1:11 nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji.
  28929. 2Co 1:12 Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, uye zvikuru maererano nemwi.
  28930. 2Co 1:13 Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma;
  28931. 2Co 1:14 sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu.
  28932. 2Co 1:15 Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri;
  28933. 2Co 1:16 nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
  28934. 2Co 1:17 Naizvozvo ndichifunga saizvozvo, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu hongu uye kwete kwete here?
  28935. 2Co 1:18 Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
  28936. 2Co 1:19 Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, waiva asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
  28937. 2Co 1:20 Nokuti zvose zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo kuna Mwari kubudikidza nesu.
  28938. 2Co 1:21 Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari,
  28939. 2Co 1:22 wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa chibatiso cheMweya mumoyo yedu.
  28940. 2Co 1:23 Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde.
  28941. 2Co 1:24 Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo.
  28942. 2Co 2:1 Asi ndakazvipira izvi, kusauyazve kwamuri mukusuwa.
  28943. 2Co 2:2 Nokuti kana ini ndichikusuwisai, ndiani zvino anondifadza, kunze kwaiye wakasuruvadzwa neni?
  28944. 2Co 2:3 Zvino ndakakunyorerai chinhu ichi chakadai kuti ndasvika, ndirege kusuwiswa naivo vanofanira kundifadza, ndine chivimbo mamuri mose, kuti mufaro wangu ndewenyu mose.
  28945. 2Co 2:4 Nokuti kubva mudambudziko guru nekusuruvara kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukurusa rwandinarwo kwamuri.
  28946. 2Co 2:5 Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukutakudzai mutoro) mose.
  28947. 2Co 2:6 Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji;
  28948. 2Co 2:7 kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukanganwire nekunyaradza, kuti wakadaro arege kumedzwa nekusuruvara kukuru.
  28949. 2Co 2:8 Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.
  28950. 2Co 2:9 Nokuti ndizvo zvandakanyorerawo, kuti ndizive kuedzwa kwenyu, kana muchiteerera pazvinhu zvose.
  28951. 2Co 2:10 Zvino iye wamunokanganwira chinhu, neni ndinomukanganwira; nokuti kana neni ndichikanganwira chinhu, uyo wandinenge ndakakanganwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi pechiso chaKristu,
  28952. 2Co 2:11 kuti tirege kushandiswa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.
  28953. 2Co 2:12 Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe,
  28954. 2Co 2:13 handina kuwana zororo pamweya wangu, pakusawana kwangu Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabva ndikaenda kuMakedhonia.
  28955. 2Co 2:14 Zvino ngaavongwe Mwari, anotikundisa nguva dzose muna Kristu, uye anoratidza nesu panzvimbo dzose hwema hweruzivo rwake.
  28956. 2Co 2:15 Nokuti tiri hwema hunonhuhwira hwaKristu kuna Mwari pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara;
  28957. 2Co 2:16 kune vamwe hwema hwerufu mukufa, nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani angakwanira zvinhu izvi?
  28958. 2Co 2:17 Nokuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi sevanobva pauchokwadi, asi sezvinobva kuna Mwari pamberi paMwari tinotaura muna Kristu.
  28959. 2Co 3:1 Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri?
  28960. 2Co 3:2 Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vose;
  28961. 2Co 3:3 muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo.
  28962. 2Co 3:4 Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari;
  28963. 2Co 3:5 kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari;
  28964. 2Co 3:6 iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa.
  28965. 2Co 3:7 Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa,
  28966. 2Co 3:8 ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here?
  28967. 2Co 3:9 Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya.
  28968. 2Co 3:10 Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.
  28969. 2Co 3:11 Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya.
  28970. 2Co 3:12 Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura;
  28971. 2Co 3:13 uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.
  28972. 2Co 3:14 Asi pfungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvika zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.
  28973. 2Co 3:15 Asi kusvika zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo.
  28974. 2Co 3:16 Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
  28975. 2Co 3:17 Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.
  28976. 2Co 3:18 Asi isu tose, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe.
  28977. 2Co 4:1 Naizvozvo zvatine shumiro iyi, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;
  28978. 2Co 4:2 asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yose yevanhu pamberi paMwari.
  28979. 2Co 4:3 Zvinowo kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;
  28980. 2Co 4:4 kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza pfungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari.
  28981. 2Co 4:5 Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.
  28982. 2Co 4:6 Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.
  28983. 2Co 4:7 Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri;
  28984. 2Co 4:8 tinodzvanyidzirwa pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi;
  28985. 2Co 4:9 tinoshushwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;
  28986. 2Co 4:10 tichipota takatakura nguva dzose kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu.
  28987. 2Co 4:11 Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
  28988. 2Co 4:12 Saizvozvo rufu rwunobata matiri, asi upenyu mamuri.
  28989. 2Co 4:13 Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura;
  28990. 2Co 4:14 tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi.
  28991. 2Co 4:15 Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari.
  28992. 2Co 4:16 Naizvozvo hatineti, asi kunyange kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva.
  28993. 2Co 4:17 Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi;
  28994. 2Co 4:18 tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.
  28995. 2Co 5:1 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga.
  28996. 2Co 5:2 Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
  28997. 2Co 5:3 kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi takashama.
  28998. 2Co 5:4 Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.
  28999. 2Co 5:5 Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo chibatiso cheMweya.
  29000. 2Co 5:6 Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe;
  29001. 2Co 5:7 nokuti tinofamba nerutendo, kwete nekuona;
  29002. 2Co 5:8 naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe.
  29003. 2Co 5:9 Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari.
  29004. 2Co 5:10 Nokuti tose tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
  29005. 2Co 5:11 Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu.
  29006. 2Co 5:12 Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo.
  29007. 2Co 5:13 Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri.
  29008. 2Co 5:14 Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vose, zvino vose vakafa;
  29009. 2Co 5:15 uye wakafira vose kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.
  29010. 2Co 5:16 Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo.
  29011. 2Co 5:17 Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvose zvava zvitsva.
  29012. 2Co 5:18 Uye zvose zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso;
  29013. 2Co 5:19 sezvinonzi Mwari waiva achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso.
  29014. 2Co 5:20 Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
  29015. 2Co 5:21 Nokuti uyo waiva asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
  29016. 2Co 6:1 Zvino tinobata pamwe [naye], nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina;
  29017. 2Co 6:2 nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye pazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso.
  29018. 2Co 6:3 Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa;
  29019. 2Co 6:4 asi pazvose tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa,
  29020. 2Co 6:5 pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya,
  29021. 2Co 6:6 pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri,
  29022. 2Co 6:7 pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe,
  29023. 2Co 6:8 nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo;
  29024. 2Co 6:9 sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo;
  29025. 2Co 6:10 sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzose; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvose.
  29026. 2Co 6:11 VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa.
  29027. 2Co 6:12 Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu.
  29028. 2Co 6:13 Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai.
  29029. 2Co 6:14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Uye chiedza chingadyidzana sei nerima?
  29030. 2Co 6:15 Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi?
  29031. 2Co 6:16 Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
  29032. 2Co 6:17 Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai.
  29033. 2Co 6:18 Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.
  29034. 2Co 7:1 Zvatine zvivimbiso izvi, vadikanwi, ngatizvinatse patsvina yose yenyama neyemweya, tipedzise utsvene mukutya Mwari.
  29035. 2Co 7:2 Gamuchirai isu; hatina kuitira munhu chakaipa, hatina kukanganisira munhu, hatina kubatira munhu.
  29036. 2Co 7:3 Handitauriri kupa mhosva; nokuti ndamboreva, kuti muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe.
  29037. 2Co 7:4 Ushingi hwenhauro yangu kwamuri hukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndakawanzirwa mufaro padambudziko redu rose.
  29038. 2Co 7:5 Nokutiwo tasvika kuMakedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takadzvinyirirwa pazvose; kunze kukakavara, mukati kutya.
  29039. 2Co 7:6 Asi Mwari, anonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito;
  29040. 2Co 7:7 uye kwete pakusvika kwake chete, asi nepakunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuwo chenyu, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara.
  29041. 2Co 7:8 Nokuti kunyange ndakakusuruvadzai netsamba, handizvidembi, kunyange ndichizvidemba; nokuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvadzai, kunyange kuri kwenguva diki.
  29042. 2Co 7:9 Ikozvino ndinofara, kwete kuti makasuruvadzwa, asi kuti makasuruvadzwa mukatendeuka; nokuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nekuda kwedu.
  29043. 2Co 7:10 Nokuti kusuwa nenzira yeuMwari kunouisa kutendeuka rwuve ruponeso rwausingazvidembi narwo; asi kusuwa kwenyika kunouisa rufu.
  29044. 2Co 7:11 Nokuti tarirai, chinhu ichocho, kuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, chakauisa mukati menyu shungu dzakadini, inga kuzvidavirira, inga kutsamwa, inga kutya, inga chishuvo chakasimba, inga kushingaira, inga kutsiva. Pazvose makazviratidza kuti makachena pachiitiko ichi.
  29045. 2Co 7:12 Naizvozvo kanawo ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwewakatadza, kana nekuda kwaiye wakatadzirwa, asi kuti kukushingairirai kwedu kuratidzwe kwamuri pamberi paMwari.
  29046. 2Co 7:13 Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu; hongu takafara zvikuru kwazvo pamufaro waTito, nokuti mweya wake wakavandudzwa kubva kwamuri mose.
  29047. 2Co 7:14 Nokuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvose kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakava chokwadi.
  29048. 2Co 7:15 Nehanya dzake dzawedzerwa kwazvo kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, kuti makamugamuchira sei nekutya uye kudedera.
  29049. 2Co 7:16 Ndinofara naizvozvo kuti pazvose ndine chivimbo mamuri.
  29050. 2Co 8:1 Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia;
  29051. 2Co 8:2 kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo.
  29052. 2Co 8:3 Nokuti vaiva vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo,
  29053. 2Co 8:4 nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene;
  29054. 2Co 8:5 uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari.
  29055. 2Co 8:6 Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaaiva ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo.
  29056. 2Co 8:7 Asi sezvamakawanza pazvose, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kose, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha.
  29057. 2Co 8:8 Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu.
  29058. 2Co 8:9 Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange aiva akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume.
  29059. 2Co 8:10 Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda.
  29060. 2Co 8:11 Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo.
  29061. 2Co 8:12 Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina.
  29062. 2Co 8:13 Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe;
  29063. 2Co 8:14 asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino, zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo, kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana,
  29064. 2Co 8:15 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa.
  29065. 2Co 8:16 Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri,
  29066. 2Co 8:17 kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaaiva achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake.
  29067. 2Co 8:18 Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ose;
  29068. 2Co 8:19 zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu;
  29069. 2Co 8:20 tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu;
  29070. 2Co 8:21 tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo.
  29071. 2Co 8:22 Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru.
  29072. 2Co 8:23 Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu.
  29073. 2Co 8:24 Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke.
  29074. 2Co 9:1 Nokuti maererano nerubatsiro rwevatsvene, hazvina kufanira kwandiri kuti ndikunyorerei;
  29075. 2Co 9:2 nokuti ndinoziva kushingaira kwenyu, kwandinozvirumbidza nako pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yaiva yazvigadzirira kubvira gore rakapera; nekushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
  29076. 2Co 9:3 Asi ndakatuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kusava pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, muve makagadzirira;
  29077. 2Co 9:4 zvimwe pamwe, kana veMakedhonia vachiuya neni vakuwanei musina kuzvigadzirira, isu tinyadziswe (kuti tisati, imwi) pakuvimba uku kwekuzvikudza.
  29078. 2Co 9:5 Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama, kuti vatange kuuya kwamuri, uye vatange kugadzira chipo chenyu chepachena chakataurwa nezvacho kare, kuti ichi chive chakagadzirirwa, saizvozvo sechipo chepachena asi kwete sekukara.
  29079. 2Co 9:6 Asi izvi kuti: Anodzvara zvishoma, anokohwawo zvishoma; neanodzvara zvizhinji, achakohwawo zvizhinji.
  29080. 2Co 9:7 Umwe neumwe sezvinoda moyo; kwete nekurwadziwa, kana nekurovererwa; nokuti Mwari anoda anopa nemufaro.
  29081. 2Co 9:8 Uye Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzose, kuti nguva dzose muve nekuringana kose pazvose, muwanze pabasa rose rakanaka;
  29082. 2Co 9:9 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi.
  29083. 2Co 9:10 Zvino iye anopa mbeu kumudzvari, dai apawo chingwa chekudya, ngaawanze mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;
  29084. 2Co 9:11 muchifumiswa pazvinhu zvose zvichibva pakupana kose, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.
  29085. 2Co 9:12 Nokuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo nekuvongwa kuzhinji kuna Mwari;
  29086. 2Co 9:13 nekuda kweuchapupu hweshumiro iyi vanorumbidza Mwari pamusoro pekuteerera kwekupupura kwenyu evhangeri yaKristu, nekukura kwekupa kwenyu kwavari nekune vose.
  29087. 2Co 9:14 Uye nemunyengetero wavo pamusoro penyu, vachikushuvai nekuda kwenyasha hurusa dzaMwari pamusoro penyu.
  29088. 2Co 9:15 Zvino Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.
  29089. 2Co 10:1 Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro, uye moyochena waKristu, wakaninipiswa pakati penyu kana [ndi]ripo, asi kana ndisipo ndine ushingi kwamuri;
  29090. 2Co 10:2 ndinokumbirisawo, kuti kana ndiripo, ndirege kuva neushingi nekuzvipira uku kwandinoverengerwa kuti ndine ushingi hwekumirisana nevamwe vanotifungira sevanofamba panyama.
  29091. 2Co 10:3 Nokuti kunyange tichifamba panyama, hatirwi maererano nenyama;
  29092. 2Co 10:4 nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare,
  29093. 2Co 10:5 tichiwisa mirangariro nechose chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa murangariro wose pakuteerera Kristu;
  29094. 2Co 10:6 takazvigadzira kutsiva kusateerera kose, kana kuteerera kwenyu kwazadzisika.
  29095. 2Co 10:7 Munotarira zvinhu pamaonekero azvo ekunze here? Kana munhu achizvivimba kuti iye ndewaKristu, ngaazvirangarirezve, kuti iye sezvaari waKristu, saizvozvo nesu tiri vaKristu.
  29096. 2Co 10:8 Nokuti kana nezvinhu zvizhinjisa ndisazvirumbidzazve maererano nesimba redu, Ishe raakatipa pakuvaka, uye kwete rekuparadza kwenyu, handinganyadziswi;
  29097. 2Co 10:9 kuti ndirege kuonekwa sendinokutyityidzirai netsamba.
  29098. 2Co 10:10 Nokuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba; asi kuvapo kwemuviri kune utera nekutaura kwake kunozvidzika.
  29099. 2Co 10:11 Wakadaro ngaarangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko kubudikidza netsamba kana tisipo, nesu takadaro pakuita kana tiripo.
  29100. 2Co 10:12 Nokuti hatina ushingi hwekuzviverengera kana kuzvifananidza nevamwe vevanozvirumbidza; asi ivo vanozvienzanisa vega, nekuzvifananidza pachavo, havanzwisisi.
  29101. 2Co 10:13 Asi isu hatingazvikudzi zvinopfuura chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu Mwari waakatitemera, chipimo chekusvika nekwamuri.
  29102. 2Co 10:14 Nokuti hatizvitandavadzi kupfuurikidza setisingasvikiri kwamuri, nokuti nekwamuriwo takasvika muevhangeri yaKristu;
  29103. 2Co 10:15 tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa pakati penyu zvinoenderana nemuganhu wedu nekupfuurisa,
  29104. 2Co 10:16 kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pamuganhu weumwe pazvinhu zvakagadzirwa.
  29105. 2Co 10:17 Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.
  29106. 2Co 10:18 Nokuti haasi anozvirumbidza uyo anogamuchirwa, asi Ishe waanorumbidza.
  29107. 2Co 11:1 Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi [hwangu]; asiwo munondiitira moyo murefu.
  29108. 2Co 11:2 Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzei muri mhandara yakachena kuna Kristu.
  29109. 2Co 11:3 Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu.
  29110. 2Co 11:4 Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu.
  29111. 2Co 11:5 Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa.
  29112. 2Co 11:6 Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chose takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvose.
  29113. 2Co 11:7 Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?
  29114. 2Co 11:8 Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei.
  29115. 2Co 11:9 Uye pandaiva ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvose ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta.
  29116. 2Co 11:10 Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya.
  29117. 2Co 11:11 Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva.
  29118. 2Co 11:12 Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo.
  29119. 2Co 11:13 Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.
  29120. 2Co 11:14 Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza.
  29121. 2Co 11:15 Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo.
  29122. 2Co 11:16 Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma.
  29123. 2Co 11:17 Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.
  29124. 2Co 11:18 Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.
  29125. 2Co 11:19 Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera.
  29126. 2Co 11:20 Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso.
  29127. 2Co 11:21 Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu taiva tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.
  29128. 2Co 11:22 VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo.
  29129. 2Co 11:23 Vashumiri vaKristu here? Ndinotaura semupengo, ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji.
  29130. 2Co 11:24 KuvaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.
  29131. 2Co 11:25 Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndaiva ndiri muudziku hwegungwa;
  29132. 2Co 11:26 panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
  29133. 2Co 11:27 pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.
  29134. 2Co 11:28 Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ose kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe.
  29135. 2Co 11:29 Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva?
  29136. 2Co 11:30 Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu.
  29137. 2Co 11:31 Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvika rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema.
  29138. 2Co 11:32 PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata;
  29139. 2Co 11:33 uye ndakaburuswa nepahwindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake.
  29140. 2Co 12:1 Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
  29141. 2Co 12:2 Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu.
  29142. 2Co 12:3 Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva),
  29143. 2Co 12:4 kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura.
  29144. 2Co 12:5 Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu.
  29145. 2Co 12:6 Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri,
  29146. 2Co 12:7 uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa.
  29147. 2Co 12:8 Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.
  29148. 2Co 12:9 Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
  29149. 2Co 12:10 Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.
  29150. 2Co 12:11 Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu.
  29151. 2Co 12:12 Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wose, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.
  29152. 2Co 12:13 Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku.
  29153. 2Co 12:14 Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.
  29154. 2Co 12:15 Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yeupenyu yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma.
  29155. 2Co 12:16 Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandaiva ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.
  29156. 2Co 12:17 Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri?
  29157. 2Co 12:18 Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatina kufamba nemumakwara mamwe here?
  29158. 2Co 12:19 Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvose, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu.
  29159. 2Co 12:20 Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;
  29160. 2Co 12:21 zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita.
  29161. 2Co 13:1 Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumuromo wezvapupu zviviri uye zvitatu shoko roga-roga ritsigirwe.
  29162. 2Co 13:2 Ndakambokuudzai uye ndinogara ndakuudzai, sendaiva ndiripo rwechipiri, uye ikozvino ndisipo ndinonyorera avo vakagara vatadza, nekuvamwe vose, kuti kana ndikauyazve, handichavaregereri.
  29163. 2Co 13:3 Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu anotaura mandiri, asina utera kwamuri, asi ane simba mamuri.
  29164. 2Co 13:4 Nokuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, zvakadaro anorarama nesimba raMwari. Nokuti isuwo tine utera maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.
  29165. 2Co 13:5 Zviongororei kana muri parutendo; zviidzei. Kana hamuzivi here imwi, kuti Jesu Kristu ari mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakaraswa.
  29166. 2Co 13:6 Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti isu hatisi vakaraswa.
  29167. 2Co 13:7 Zvino ndinonyengetera kuna Mwari, kuti musaita chinhu chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu tive sevakaraswa.
  29168. 2Co 13:8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chinotsigira chokwadi.
  29169. 2Co 13:9 Nokuti tinofara kana isu tine utera, imwiwo makasimba; uye izviwo tinozvinyengeterera, kuperera kwenyu.
  29170. 2Co 13:10 Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba Ishe raakandipa pakuvaka, uye kwete pakuputsa.
  29171. 2Co 13:11 Pakupedzisira, hama, farai, muperedzerwe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare achava nemwi.
  29172. 2Co 13:12 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
  29173. 2Co 13:13 Vatsvene vose vanokukwazisai.
  29174. 2Co 13:14 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mose. Ameni
  29175. Gal 1:1 Pauro muapositori asingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kubva kuvakafa,
  29176. Gal 1:2 nehama dzose dzineni, kumakereke eGaratiya:
  29177. Gal 1:3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,
  29178. Gal 1:4 wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari uye Baba vedu;
  29179. Gal 1:5 kuve nekubwinya kwaari kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  29180. Gal 1:6 Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kubva kune uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;
  29181. Gal 1:7 isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachidawo kutsaudzira evhangeri yaKristu.
  29182. Gal 1:8 Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave chakatukwa.
  29183. Gal 1:9 Sezvatakamboreva, uye ndinorevazve ikozvino: Kana umwe akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyamakagamuchira, ngaave chakatukwa.
  29184. Gal 1:10 Nokuti ikozvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nokuti kana ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
  29185. Gal 1:11 Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haina kuita seyevanhu.
  29186. Gal 1:12 Nokuti neni handina kuigamuchira kumunhu, uye handina kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.
  29187. Gal 1:13 Nokuti makanzwa mufambiro wangu kwekutanga pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari zvikurusa, nekuiparadza;
  29188. Gal 1:14 uye ndaibudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichishingairisisa patsika dzemadzibaba angu.
  29189. Gal 1:15 Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake,
  29190. Gal 1:16 kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;
  29191. Gal 1:17 uye handina kukwira kuJerusarema kune vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.
  29192. Gal 1:18 Ipapo shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi nemashanu.
  29193. Gal 1:19 Asi handina kuona umwe wevaapositori, kunze kwaJakobho munin’ina waIshe.
  29194. Gal 1:20 Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarira pamberi paMwari, kuti handinyepi.
  29195. Gal 1:21 Shure kwaizvozvo ndakaenda kumatunhu eSiriya neeKirikia.
  29196. Gal 1:22 Asi ndaiva ndisingazikanwi pachiso nemakereke eJudhiya aiva muna Kristu;
  29197. Gal 1:23 asi vaiva vanzwa chete kuti: Waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza.
  29198. Gal 1:24 Vakarumbidzawo Mwari mandiri.
  29199. Gal 2:1 Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi.
  29200. Gal 2:2 Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vaiva vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina.
  29201. Gal 2:3 Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
  29202. Gal 2:4 uye nekuda kwehama dzenhema, vaiva vapinzwa pachivande, vaiva vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;
  29203. Gal 2:5 vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.
  29204. Gal 2:6 Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu;
  29205. Gal 2:7 asi pachinzvimbo chaizvozvo, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevakadzingiswa,
  29206. Gal 2:8 (nokuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni);
  29207. Gal 2:9 zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa;
  29208. Gal 2:10 chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita.
  29209. Gal 2:11 Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti waiva ane mhosva.
  29210. Gal 2:12 Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa.
  29211. Gal 2:13 Nevamwewo vaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti naBhanabhasi wakatorwa neunyepedzeri hwavo.
  29212. Gal 2:14 Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevose: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita vaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame sevaJudha?
  29213. Gal 2:15 Isu tiri vaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,
  29214. Gal 2:16 tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.
  29215. Gal 2:17 Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!
  29216. Gal 2:18 Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.
  29217. Gal 2:19 Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.
  29218. Gal 2:20 Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.
  29219. Gal 2:21 Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kuchiwanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.
  29220. Gal 3:1 Haiwa vaGaratiya matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?
  29221. Gal 3:2 Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
  29222. Gal 3:3 Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here?
  29223. Gal 3:4 Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo!
  29224. Gal 3:5 Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
  29225. Gal 3:6 Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama.
  29226. Gal 3:7 Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama.
  29227. Gal 3:8 Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
  29228. Gal 3:9 Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda.
  29229. Gal 3:10 Nokuti vose vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wose asingarambiri pazvose zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite.
  29230. Gal 3:11 Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo.
  29231. Gal 3:12 Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri.
  29232. Gal 3:13 Kristu wakatidzikinura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Wakatukwa wose wakaremberera pamuti;
  29233. Gal 3:14 kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya.
  29234. Gal 3:15 Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
  29235. Gal 3:16 Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu.
  29236. Gal 3:17 Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo.
  29237. Gal 3:18 Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso.
  29238. Gal 3:19 Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvika mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.
  29239. Gal 3:20 Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe.
  29240. Gal 3:21 Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai paiva pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo.
  29241. Gal 3:22 Asi rugwaro rwakapfigira zvose pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.
  29242. Gal 3:23 Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvika kurutendo rwaizozarurwa shure.
  29243. Gal 3:24 Saizvozvo murairo waiva uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo.
  29244. Gal 3:25 Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.
  29245. Gal 3:26 Nokuti mose muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu.
  29246. Gal 3:27 Nokuti mose makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.
  29247. Gal 3:28 Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
  29248. Gal 3:29 Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.
  29249. Gal 4:1 Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvose;
  29250. Gal 4:2 asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvika panguva yakatarwa nababa.
  29251. Gal 4:3 Saizvozvo nesu, pataiva tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.
  29252. Gal 4:4 Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,
  29253. Gal 4:5 kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
  29254. Gal 4:6 Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha, Baba!
  29255. Gal 4:7 Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.
  29256. Gal 4:8 Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;
  29257. Gal 4:9 asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?
  29258. Gal 4:10 Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
  29259. Gal 4:11 Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
  29260. Gal 4:12 Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;
  29261. Gal 4:13 munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga.
  29262. Gal 4:14 Nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
  29263. Gal 4:15 Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.
  29264. Gal 4:16 Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?
  29265. Gal 4:17 Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.
  29266. Gal 4:18 Asi zvakanaka kushingaira pachakanaka nguva dzose, uye kwete pakuvapo kwangu chete.
  29267. Gal 4:19 Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvika Kristu aumbwa mamuri,
  29268. Gal 4:20 asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.
  29269. Gal 4:21 Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
  29270. Gal 4:22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama waiva ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.
  29271. Gal 4:23 Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.
  29272. Gal 4:24 Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.
  29273. Gal 4:25 Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
  29274. Gal 4:26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tose.
  29275. Gal 4:27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.
  29276. Gal 4:28 Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.
  29277. Gal 4:29 Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
  29278. Gal 4:30 Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
  29279. Gal 4:31 Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.
  29280. Gal 5:1 Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda.
  29281. Gal 5:2 Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu.
  29282. Gal 5:3 Uye ndinopupurirazve kumunhu wose anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wose.
  29283. Gal 5:4 Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha.
  29284. Gal 5:5 Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama.
  29285. Gal 5:6 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi rutendo rwunobata nerudo.
  29286. Gal 5:7 Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?
  29287. Gal 5:8 Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai.
  29288. Gal 5:9 Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.
  29289. Gal 5:10 Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani.
  29290. Gal 5:11 Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa.
  29291. Gal 5:12 Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo.
  29292. Gal 5:13 Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai.
  29293. Gal 5:14 Nokuti murairo wose unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi kuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.
  29294. Gal 5:15 Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu.
  29295. Gal 5:16 Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama.
  29296. Gal 5:17 Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda.
  29297. Gal 5:18 Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo.
  29298. Gal 5:19 Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza,
  29299. Gal 5:20 kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka,
  29300. Gal 5:21 shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari.
  29301. Gal 5:22 Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,
  29302. Gal 5:23 unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.
  29303. Gal 5:24 Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva.
  29304. Gal 5:25 Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya,
  29305. Gal 5:26 tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje.
  29306. Gal 6:1 Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa.
  29307. Gal 6:2 Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu.
  29308. Gal 6:3 Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera.
  29309. Gal 6:4 Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene oga, uye kwete pamusoro peumwe.
  29310. Gal 6:5 Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake.
  29311. Gal 6:6 Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
  29312. Gal 6:7 Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.
  29313. Gal 6:8 Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya.
  29314. Gal 6:9 Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo.
  29315. Gal 6:10 Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vose, zvikuruwo kune veimba yerutendo.
  29316. Gal 6:11 Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko.
  29317. Gal 6:12 Vose vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.
  29318. Gal 6:13 Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
  29319. Gal 6:14 Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.
  29320. Gal 6:15 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva.
  29321. Gal 6:16 Uye vose vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari.
  29322. Gal 6:17 Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu.
  29323. Gal 6:18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni
  29324. Eph 1:1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu:
  29325. Eph 1:2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu uye Ishe Jesu Kristu.
  29326. Eph 1:3 Ngaarumbidzwe Mwari uye Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yose yemweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu;
  29327. Eph 1:4 sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene, uye vasingamhuriki pamberi pake murudo,
  29328. Eph 1:5 agara atitemera mukuitwa vana kwaari kubudikidza naJesu Kristu, sekuda kwakanaka kwechido chake,
  29329. Eph 1:6 kuve rumbidzo yekubwinya yenyasha dzake, madziri wakatiropafadza muMudikanwi;
  29330. Eph 1:7 watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kangamwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake,
  29331. Eph 1:8 dzaakawanza kwatiri mukuchenjera kose neungwaru,
  29332. Eph 1:9 azivisa kwatiri chakavanzika chechido chake, sekushuva kwakanaka kwake kwaakaronga pachake;
  29333. Eph 1:10 kuti pakubata kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvose muna Kristu, zvose zviri kumatenga nezviri panyika;
  29334. Eph 1:11 imo maari, muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa zvichienderana nechiga chaiye anoita zvinhu zvose zvichienderana nezano rechido chake,
  29335. Eph 1:12 kuti tive rumbidzo yekubwinya kwake, isu takatanga kuvimba kuna Kristu;
  29336. Eph 1:13 nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso,
  29337. Eph 1:14 ari chibatiso chenhaka yedu, kusvikira rudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake.
  29338. Eph 1:15 Naizvozvo iniwo ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu, nerudo kuvatsvene vose,
  29339. Eph 1:16 handiregi kukuvongerai, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;
  29340. Eph 1:17 kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya weuchenjeri newechakazarurwa paruzivo pamusoro pake;
  29341. Eph 1:18 meso epfungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii,
  29342. Eph 1:19 uye kuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kweusamasimba hwesimba rake,
  29343. Eph 1:20 raakashandisa muna Kristu, achimumutsa kubva kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga,
  29344. Eph 1:21 kumusoro-soro kweutongi hwose, nesimba, neukuru, neushe, nezita roga-roga rinodanwa, kwete panguva ino chete, asi kune inouyawo;
  29345. Eph 1:22 akaisawo zvose pasi petsoka dzake, akamupa kuva musoro pamusoro pezvose kukereke,
  29346. Eph 1:23 ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadzisa zvose mune zvose.
  29347. Eph 2:1 [Wakakuraramisai], imwiwo maiva makafa mukudarika nemuzvivi,
  29348. Eph 2:2 izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nemutungamiriri wesimba redenga, wemweya unobata zvino muvana vekusateerera;
  29349. Eph 2:3 vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwepfungwa; uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo.
  29350. Eph 2:4 Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,
  29351. Eph 2:5 kunyange taiva takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);
  29352. Eph 2:6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu;
  29353. Eph 2:7 kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu.
  29354. Eph 2:8 Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari;
  29355. Eph 2:9 hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza.
  29356. Eph 2:10 Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadza, kuti tifambe maari.
  29357. Eph 2:11 Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko,
  29358. Eph 2:12 kuti panguva iyo maiva musina Kristu, muri vatorwa pavubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.
  29359. Eph 2:13 Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu.
  29360. Eph 2:14 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa,
  29361. Eph 2:15 aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare,
  29362. Eph 2:16 uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo,
  29363. Eph 2:17 uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;
  29364. Eph 2:18 nokuti kubudikidza naye tose tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba.
  29365. Eph 2:19 Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari.
  29366. Eph 2:20 Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe guru repakona.
  29367. Eph 2:21 Maari imba yose yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe.
  29368. Eph 2:22 Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.
  29369. Eph 3:1 Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni,
  29370. Eph 3:2 kana zvirokwazvo makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu,
  29371. Eph 3:3 kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambonyora nemashoko mashoma;
  29372. Eph 3:4 naizvozvo kana muchirava, munogona kunzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu;
  29373. Eph 3:5 icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachozarurwa ikozvino kuvaapositori vake vatsvene nevaporofita muMweya;
  29374. Eph 3:6 kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu kubudikidza neevhangeri,
  29375. Eph 3:7 yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake.
  29376. Eph 3:8 Kwandiri ndiri mudiki kumudikisa wevatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu,
  29377. Eph 3:9 nekuita kuti vose vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chaiva chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvose kubudikidza naJesu Kristu,
  29378. Eph 3:10 kuti ikozvino kuchenjera kwakasiyana-siyana kwaMwari kuziviswe nekereke paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga,
  29379. Eph 3:11 maererano nechiga chekusingaperi chaakaita muna Kristu Jesu Ishe wedu;
  29380. Eph 3:12 maari tine kutsunga nekupinda nechivimbo, nerutendo rwake.
  29381. Eph 3:13 Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pamatambudziko angu pamusoro penyu, ndiwo kurumbidzwa kwenyu.
  29382. Eph 3:14 Nekuda kweizvozvi ndinofugama mabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu,
  29383. Eph 3:15 rudzi rwose rwuri kumatenga nepanyika rwunotumidzwa mavari,
  29384. Eph 3:16 kuti vakupei, zvichienderana nefuma yekubwinya kwavo, musimbiswe musimba neMweya wake mumunhu wemukati,
  29385. Eph 3:17 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; mune midzi uye makateiwa nheyo murudo,
  29386. Eph 3:18 kuti mugone kwazvo kunzwisisa pamwe nevatsvene vose, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii,
  29387. Eph 3:19 nekuziva rudo rwaKristu rwunopfuura ruzivo, kuti muzadzwe mukuzara kose kwaMwari.
  29388. Eph 3:20 Zvino kune ane simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rinobata matiri,
  29389. Eph 3:21 kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvika kumarudzi ose narinhi narinhi. Ameni.
  29390. Eph 4:1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
  29391. Eph 4:2 pamwe nekuzvininipisa kose neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,
  29392. Eph 4:3 muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.
  29393. Eph 4:4 Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu;
  29394. Eph 4:5 Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,
  29395. Eph 4:6 Mwari umwe naBaba vevose, ari pamusoro pevose, uye kubudikidza nevose, nekwamuri mose.
  29396. Eph 4:7 Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.
  29397. Eph 4:8 Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.
  29398. Eph 4:9 Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika?
  29399. Eph 4:10 Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ose, kuti azadzise zvinhu zvose.
  29400. Eph 4:11 Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,
  29401. Eph 4:12 kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;
  29402. Eph 4:13 kusvika tose tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;
  29403. Eph 4:14 kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka;
  29404. Eph 4:15 asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvose, iye musoro, Kristu;
  29405. Eph 4:16 kunobva kwaari muviri wose, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.
  29406. Eph 4:17 Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwepfungwa yavo,
  29407. Eph 4:18 vakasvibiridzwa mupfungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda kweukukutu hwemoyo yavo;
  29408. Eph 4:19 ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwose neruchiva.
  29409. Eph 4:20 Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
  29410. Eph 4:21 kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu;
  29411. Eph 4:22 kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera;
  29412. Eph 4:23 uye muvandudzwe mumweya wepfungwa yenyu,
  29413. Eph 4:24 uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi.
  29414. Eph 4:25 Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe.
  29415. Eph 4:26 Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;
  29416. Eph 4:27 uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.
  29417. Eph 4:28 Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba achishanda chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.
  29418. Eph 4:29 Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi ripi neripi rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa.
  29419. Eph 4:30 Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvika pazuva redzukunuro.
  29420. Eph 4:31 Shungu dzose, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri, neuipi hwose;
  29421. Eph 4:32 asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu.
  29422. Eph 5:1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;
  29423. Eph 5:2 uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.
  29424. Eph 5:3 Asi upombwe netsvina yose kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
  29425. Eph 5:4 neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
  29426. Eph 5:5 Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
  29427. Eph 5:6 Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.
  29428. Eph 5:7 Naizvozvo regai kuva vagovani navo.
  29429. Eph 5:8 Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
  29430. Eph 5:9 Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kose nekururama nechokwadi,
  29431. Eph 5:10 muchiongorora zvinofadza kuna Ishe;
  29432. Eph 5:11 uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;
  29433. Eph 5:12 nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.
  29434. Eph 5:13 Asi zvinhu zvose zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose zvinoratidzwa chiedza.
  29435. Eph 5:14 Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.
  29436. Eph 5:15 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
  29437. Eph 5:16 muchidzikinura nguva, nokuti mazuva akaipa.
  29438. Eph 5:17 Naizvozvo musava matununu, asi munzwisise zviri kuda kwaIshe.
  29439. Eph 5:18 Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,
  29440. Eph 5:19 muchitaurirana nemapisarema, nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,
  29441. Eph 5:20 muchipa kuvonga nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,
  29442. Eph 5:21 muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.
  29443. Eph 5:22 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu iyemwi, sekuna Ishe,
  29444. Eph 5:23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
  29445. Eph 5:24 Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chose.
  29446. Eph 5:25 Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
  29447. Eph 5:26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,
  29448. Eph 5:27 kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
  29449. Eph 5:28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.
  29450. Eph 5:29 Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;
  29451. Eph 5:30 nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemapfupa ake.
  29452. Eph 5:31 Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
  29453. Eph 5:32 Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
  29454. Eph 5:33 Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.
  29455. Eph 6:1 Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama.
  29456. Eph 6:2 Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,
  29457. Eph 6:3 kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.
  29458. Eph 6:4 Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.
  29459. Eph 6:5 Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama, sekuna Kristu;
  29460. Eph 6:6 kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;
  29461. Eph 6:7 muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;
  29462. Eph 6:8 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka.
  29463. Eph 6:9 Nemwi vana tenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.
  29464. Eph 6:10 Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake.
  29465. Eph 6:11 Shongai zvombo zvose zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi;
  29466. Eph 6:12 nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga.
  29467. Eph 6:13 Saka torai zvombo zvose zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvose, mumire.
  29468. Eph 6:14 Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,
  29469. Eph 6:15 uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare;
  29470. Eph 6:16 pamusoro pezvose matora nhovo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yose inopfuta yewakaipa.
  29471. Eph 6:17 Uye torai nguwani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari;
  29472. Eph 6:18 muchinyengetera nguva dzose nemunyengetero wose nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kose nekukumbirira vatsvene vose,
  29473. Eph 6:19 nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,
  29474. Eph 6:20 yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
  29475. Eph 6:21 Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvose;
  29476. Eph 6:22 wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.
  29477. Eph 6:23 Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
  29478. Eph 6:24 Nyasha ngadzive nevose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni
  29479. Php 1:1 Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:
  29480. Php 1:2 Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
  29481. Php 1:3 Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzose,
  29482. Php 1:4 nguva dzose pamunyengetero wangu woga-woga pamusoro penyu mose ndichiita munyengetero nemufaro,
  29483. Php 1:5 nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvika ikozvino;
  29484. Php 1:6 ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvika zuva raJesu Kristu;
  29485. Php 1:7 sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mose, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvose muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mose muri vagovani pamwe neni venyasha.
  29486. Php 1:8 Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mose zvikuru sei muura hwaJesu Kristu.
  29487. Php 1:9 Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kose,
  29488. Php 1:10 kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasina mhosva, kusvika zuva raKristu,
  29489. Php 1:11 makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari.
  29490. Php 1:12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri;
  29491. Php 1:13 zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wose nekuvamwe vose.
  29492. Php 1:14 Nevazhinji vehama muna Ishe, vasimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi.
  29493. Php 1:15 Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka.
  29494. Php 1:16 Vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.
  29495. Php 1:17 Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.
  29496. Php 1:18 Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzose, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve.
  29497. Php 1:19 Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,
  29498. Php 1:20 zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwose samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.
  29499. Php 1:21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo.
  29500. Php 1:22 Asi kana ndichirarama panyama, ichi chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi.
  29501. Php 1:23 Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa kwazvo pakunaka;
  29502. Php 1:24 asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.
  29503. Php 1:25 Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mose, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo,
  29504. Php 1:26 kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve.
  29505. Php 1:27 Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;
  29506. Php 1:28 uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari.
  29507. Php 1:29 Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo;
  29508. Php 1:30 mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.
  29509. Php 2:1 Naizvozvo kana [kune] imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nekunzwira tsitsi,
  29510. Php 2:2 zadzisai mufaro wangu, kuti muve nepfungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe;
  29511. Php 2:3 musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka;
  29512. Php 2:4 umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.
  29513. Php 2:5 Nokuti pfungwa iyi ngaive mamuri, yaiva iri muna Kristu Jesuwo;
  29514. Php 2:6 iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba;
  29515. Php 2:7 asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu;
  29516. Php 2:8 akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvika parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.
  29517. Php 2:9 Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe;
  29518. Php 2:10 kuti muzita raJesu ibvi rose rifugame, revekudenga, nevepanyika, nevepasi penyika,
  29519. Php 2:11 uye rurimi rwoga-rwoga rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba.
  29520. Php 2:12 Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera;
  29521. Php 2:13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvose kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka.
  29522. Php 2:14 Itai zvinhu zvose musinganyunyuti nekupikisana;
  29523. Php 2:15 kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika,
  29524. Php 2:16 muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina.
  29525. Php 2:17 Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mose.
  29526. Php 2:18 Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.
  29527. Php 2:19 Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi.
  29528. Php 2:20 Nokuti handina munhu ane pfungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.
  29529. Php 2:21 Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.
  29530. Php 2:22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.
  29531. Php 2:23 Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni;
  29532. Php 2:24 asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.
  29533. Php 2:25 Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;
  29534. Php 2:26 sezvo aiva achikushuvai mose, uye akatambudzika, nokuti maiva manzwa kuti waiva achirwara.
  29535. Php 2:27 Nokuti zvirokwazvo waiva achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye oga, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.
  29536. Php 2:28 Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni ndiderere shungu.
  29537. Php 2:29 Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wose, uye mubate vakadai neruremekedzo;
  29538. Php 2:30 nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.
  29539. Php 3:1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai.
  29540. Php 3:2 Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka;
  29541. Php 3:3 nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama;
  29542. Php 3:4 kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini;
  29543. Php 3:5 ndakadzingiswa nezuva rechisere, ndiri werudzi rwaIsraeri, werudzi rwaBhenjamini, muHebheru wevaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;
  29544. Php 3:6 maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.
  29545. Php 3:7 Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu.
  29546. Php 3:8 Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvose kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu;
  29547. Php 3:9 uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;
  29548. Php 3:10 kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,
  29549. Php 3:11 kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.
  29550. Php 3:12 Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu.
  29551. Php 3:13 Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,
  29552. Php 3:14 ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu.
  29553. Php 3:15 Naizvozvo isu tose takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi.
  29554. Php 3:16 Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi.
  29555. Php 3:17 Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, uye natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso.
  29556. Php 3:18 Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;
  29557. Php 3:19 kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika.
  29558. Php 3:20 Nokuti vubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu;
  29559. Php 3:21 uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvose pasi pake.
  29560. Php 4:1 Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi.
  29561. Php 4:2 Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe.
  29562. Php 4:3 Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.
  29563. Php 4:4 Farai muna Ishe nguva dzose; ndinotizve: Farai.
  29564. Php 4:5 Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vose. Ishe ari pedo.
  29565. Php 4:6 Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvose, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvikumbiro zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari,
  29566. Php 4:7 zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kose, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
  29567. Php 4:8 Pakupedzisira, hama, chose chechokwadi, chose chinokudzwa, chose chakarurama, chose chakachena, chose chinodikanwa, chose chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi;
  29568. Php 4:9 nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi.
  29569. Php 4:10 Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana.
  29570. Php 4:11 Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.
  29571. Php 4:12 Ndinoziva zvose kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvose ndakadzidziswa zvose kuguta nekunzwa nzara, zvose kuva nezvizhinjisa nekushaiwa.
  29572. Php 4:13 Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naKristu anondisimbisa.
  29573. Php 4:14 Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.
  29574. Php 4:15 Zvino munozivawo imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega;
  29575. Php 4:16 nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu.
  29576. Php 4:17 Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.
  29577. Php 4:18 Zvino ndagamuchira zvose uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari.
  29578. Php 4:19 Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kose zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu.
  29579. Php 4:20 Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  29580. Php 4:21 Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
  29581. Php 4:22 Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari.
  29582. Php 4:23 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni
  29583. Col 1:1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama,
  29584. Col 1:2 kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
  29585. Col 1:3 Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzose,
  29586. Col 1:4 sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vose,
  29587. Col 1:5 nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
  29588. Col 1:6 yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
  29589. Col 1:7 sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
  29590. Col 1:8 wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.
  29591. Col 1:9 Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwose nekunzwisisa kwemweya,
  29592. Col 1:10 kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvose zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rose rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
  29593. Col 1:11 muchisimbiswa nesimba rose, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wose nekutsungirira pamwe nemufaro;
  29594. Col 1:12 muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza,
  29595. Col 1:13 vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
  29596. Col 1:14 watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kangamwiro yezvivi.
  29597. Col 1:15 Anova mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rechisikwa chega-chega.
  29598. Col 1:16 Nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
  29599. Col 1:17 Ndiyewo anotangira zvinhu zvose, uye zvinhu zvose zvakabatanidzwa maari.
  29600. Col 1:18 Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvose iye ave wekutanga;
  29601. Col 1:19 nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kose kugare maari,
  29602. Col 1:20 uye ayananisa naye zvinhu zvose kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
  29603. Col 1:21 Nemwi maimbova vaeni nevavengi mupfungwa nemabasa akaipa, asi ikozvino wayanana nemwi
  29604. Col 1:22 mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake;
  29605. Col 1:23 zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa choga-choga chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
  29606. Col 1:24 Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke;
  29607. Col 1:25 ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
  29608. Col 1:26 chakavanzika chaiva chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,
  29609. Col 1:27 kune avo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
  29610. Col 1:28 watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzose, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu;
  29611. Col 1:29 ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.
  29612. Col 2:1 Nokuti ndinoda kuti muzive [kuti] kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevose vasina kuona chiso changu panyama,
  29613. Col 2:2 kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yose yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu,
  29614. Col 2:3 maari fuma yose yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa.
  29615. Col 2:4 Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera.
  29616. Col 2:5 Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.
  29617. Col 2:6 Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,
  29618. Col 2:7 makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.
  29619. Col 2:8 Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu.
  29620. Col 2:9 Nokuti kuzara kose kweuMwari kunogara maari pamuviri.
  29621. Col 2:10 Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwose nesimba;
  29622. Col 2:11 wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;
  29623. Col 2:12 makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa.
  29624. Col 2:13 Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kose,
  29625. Col 2:14 akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa;
  29626. Col 2:15 akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri.
  29627. Col 2:16 Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata;
  29628. Col 2:17 zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu.
  29629. Col 2:18 Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nepfungwa dzake dzenyama,
  29630. Col 2:19 uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wose nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.
  29631. Col 2:20 Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika,
  29632. Col 2:21 (usabata, usaravira, usagunzva,
  29633. Col 2:22 izvo zvose zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu?
  29634. Col 2:23 Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama.
  29635. Col 3:1 Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
  29636. Col 3:2 Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.
  29637. Col 3:3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
  29638. Col 3:4 Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
  29639. Col 3:5 Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
  29640. Col 3:6 Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;
  29641. Col 3:7 imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.
  29642. Col 3:8 Asi ikozvino imwiwo bvisai zvose izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, kutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;
  29643. Col 3:9 regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
  29644. Col 3:10 mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;
  29645. Col 3:11 apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
  29646. Col 3:12 Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, moyo murefu;
  29647. Col 3:13 muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;
  29648. Col 3:14 zvino pamusoro pezvinhu zvose izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.
  29649. Col 3:15 Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
  29650. Col 3:16 Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwose; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;
  29651. Col 3:17 uye zvose chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
  29652. Col 3:18 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu iyemwi, sezvo zvakafanira muna Ishe.
  29653. Col 3:19 Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.
  29654. Col 3:20 Vana, teererai vabereki pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
  29655. Col 3:21 Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
  29656. Col 3:22 Varanda, teererai pazvinhu zvose vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;
  29657. Col 3:23 uye zvose kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
  29658. Col 3:24 muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
  29659. Col 3:25 Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.
  29660. Col 4:1 Madzishe, ipai varanda zvakarurama nezvakaringana, muchiziva kuti imwiwo muna Ishe kumatenga.
  29661. Col 4:2 Tsungirirai pamunyengetero, murinde pakuri nekuvonga;
  29662. Col 4:3 mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, kutaura chakavanzika chaKristu, chandakasungirwawo;
  29663. Col 4:4 kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
  29664. Col 4:5 Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikinura nguva.
  29665. Col 4:6 Shoko renyu ngarigare munyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.
  29666. Col 4:7 Zvose zvakanangana neni Tikiko achakuzivisai, hama inodikanwa nemushumiri wakatendeka nemushandi pamwe neni muna Ishe;
  29667. Col 4:8 wandatumira kwamuri ichochi, kuti azive zviri maererano nemwi, nekunyaradza moyo yenyu;
  29668. Col 4:9 pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikanwa, anova wekwenyu. Vachakuzivisai zvose zviri pano.
  29669. Col 4:10 Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, naMariko muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo maererano naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,
  29670. Col 4:11 naJesu anonzi Justo, vevekudzingiswa; ivava chete vabati pamwe neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.
  29671. Col 4:12 Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, anokukwazisai, achirwa nguva dzose muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana muchido chose chaMwari.
  29672. Col 4:13 Nokuti ndinomupupurira kuti ane shungu kwazvo nemwi, neveRaodhikia, neveHierapori.
  29673. Col 4:14 Anokukwazisai Ruka chiremba anodikanwa, naDhemasi.
  29674. Col 4:15 Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.
  29675. Col 4:16 Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti nemukereke yevaRaodhikia iverengwe; kuti nemwi muverengewo inobva Raodhikia.
  29676. Col 4:17 Vudzai Akipo, muti: Chenjerera ushumiri hwawakagamuchira muna Ishe, kuti uhupedzise.
  29677. Col 4:18 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni
  29678. 1Th 1:1 Pauro naSirivhano naTimotio, kukereke yevaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
  29679. 1Th 1:2 Tinovonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu,
  29680. 1Th 1:3 tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;
  29681. 1Th 1:4 tichiziva, hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari;
  29682. 1Th 1:5 nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nekuda kwenyu.
  29683. 1Th 1:6 Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
  29684. 1Th 1:7 zvekuti makava mienzaniso kune vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
  29685. 1Th 1:8 Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu.
  29686. 1Th 1:9 Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
  29687. 1Th 1:10 uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya.
  29688. 1Th 2:1 Nokuti munoziva imwi, hama, kupinda kwedu kwamuri, kuti hakuna kuva pasina;
  29689. 1Th 2:2 asi kunyange takambotambudzika nekuitirwa zvakaipa, sezvamunoziva, paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari pakati pekupikiswa kukuru.
  29690. 1Th 2:3 Nokuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, uye haina kubva patsvina, hainawo kubva pamano-mano;
  29691. 1Th 2:4 asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozvo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari anoidza moyo yedu.
  29692. 1Th 2:5 Nokuti hatina kutongouya nemashoko ekubata kumeso, sezvamunoziva, kana nemano-mano eruchiva; Mwari chapupu;
  29693. 1Th 2:6 tisingatsvaki rukudzo kuvanhu, kana rwunobva kwamuri kana kuvamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.
  29694. 1Th 2:7 Asi taiva tiri vanyoro pakati penyu, semureri achivaraidza vana vake;
  29695. 1Th 2:8 sezvatinokushuvai kwazvo, takada zvikuru kukupai kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yeupenyu yedu pacheduwo, nokuti maiva muri vadikanwi kwatiri.
  29696. 1Th 2:9 Nokuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwisa kwedu; nokuti taibata siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.
  29697. 1Th 2:10 Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taiva vatsvene sei uye takarurama tisina chatingapomerwa kwamuri vanotenda.
  29698. 1Th 2:11 Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu, sababa kuvana vavo, takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,
  29699. 1Th 2:12 kuti mufambe zvakafanira Mwari, anokudanirai kuushe hwake nekubwinya.
  29700. 1Th 2:13 Nekuda kwaizvozvi nesu hatimiri kuvonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira kwete seshoko revanhu, asi seriri chokwadi, shoko raMwari rinoshandawo mamuri imwi munotenda.
  29701. 1Th 2:14 Nokuti imwi, hama, makava vateveri vemakereke aMwari ari muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti imwiwo makatambudzika zvakadaro kune vekwenyu momene, sezvavakatambudzwa ivowo nevaJudha,
  29702. 1Th 2:15 ndivowo vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishushawo isu, vasingafadziwo Mwari, uye vachipesana nevanhu vose,
  29703. 1Th 2:16 vachitidzivisa kutaurira vahedheni kuti vaponeswe, kuti vagare vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakasvika pamusoro pavo kusvika pakuguma.
  29704. 1Th 2:17 Zvino isu, hama, sezvo takaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.
  29705. 1Th 2:18 Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru ini Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.
  29706. 1Th 2:19 Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?
  29707. 1Th 2:20 Nokuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu.
  29708. 1Th 3:1 Saka zvataiva tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri toga paAtene,
  29709. 1Th 3:2 ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu,
  29710. 1Th 3:3 kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi.
  29711. 1Th 3:4 Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, sezvazvakaitikawo, nemwi munoziva.
  29712. 1Th 3:5 Nekuda kweizvozviwo zvandaiva ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.
  29713. 1Th 3:6 Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzose, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi;
  29714. 1Th 3:7 nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rose nenhamo nerutendo rwenyu;
  29715. 1Th 3:8 nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.
  29716. 1Th 3:9 Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wose watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?
  29717. 1Th 3:10 Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu.
  29718. 1Th 3:11 Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri;
  29719. 1Th 3:12 uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vose, sesuwo kwamuri,
  29720. 1Th 3:13 kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vose.
  29721. 1Th 4:1 Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa [pazviri].
  29722. 1Th 4:2 Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu.
  29723. 1Th 4:3 Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti muzire upombwe;
  29724. 1Th 4:4 kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo,
  29725. 1Th 4:5 kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;
  29726. 1Th 4:6 kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvose izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura.
  29727. 1Th 4:7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.
  29728. 1Th 4:8 Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene.
  29729. 1Th 4:9 Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;
  29730. 1Th 4:10 nokuti nemwi munozviita kuhama dzose dziri paMakedhonia yose; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru,
  29731. 1Th 4:11 uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai;
  29732. 1Th 4:12 kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu.
  29733. 1Th 4:13 Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro.
  29734. 1Th 4:14 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye.
  29735. 1Th 4:15 Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvika pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.
  29736. 1Th 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
  29737. 1Th 4:17 kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.
  29738. 1Th 4:18 Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.
  29739. 1Th 5:1 Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe,
  29740. 1Th 5:2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika;
  29741. 1Th 5:3 nokuti pavanoti: Rugare nekugarika; pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki.
  29742. 1Th 5:4 Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
  29743. 1Th 5:5 Imwi mose muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima;
  29744. 1Th 5:6 naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke.
  29745. 1Th 5:7 Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku.
  29746. 1Th 5:8 Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive nguwani.
  29747. 1Th 5:9 Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu,
  29748. 1Th 5:10 wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye.
  29749. 1Th 5:11 Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.
  29750. 1Th 5:12 Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai,
  29751. 1Th 5:13 uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.
  29752. 1Th 5:14 Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vose.
  29753. 1Th 5:15 Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose teverai zvakanaka, zvose pakati penyu nekune vose.
  29754. 1Th 5:16 Farai nekusingaperi;
  29755. 1Th 5:17 nyengeterai musingamiri;
  29756. 1Th 5:18 vongai pazvinhu zvose; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.
  29757. 1Th 5:19 Musadzima Mweya;
  29758. 1Th 5:20 musazvidza zviporofita;
  29759. 1Th 5:21 idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;
  29760. 1Th 5:22 ibvai pakuonekwa kose kwekuipa.
  29761. 1Th 5:23 NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya weupenyu wenyu wose, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
  29762. 1Th 5:24 Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo.
  29763. 1Th 5:25 Hama, tinyengetererei.
  29764. 1Th 5:26 Kwazisai hama dzose nekutsvoda kutsvene.
  29765. 1Th 5:27 Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzose.
  29766. 1Th 5:28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni
  29767. 2Th 1:1 Pauro naSirivhano naTimotio kukereke yevaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:
  29768. 2Th 1:2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
  29769. 2Th 1:3 Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nokuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu mose kune umwe neumwe rwunowanda;
  29770. 2Th 1:4 nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mumakereke aMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu nerutendo mukushushwa kwenyu kose nematambudziko amunotsunga maari.
  29771. 2Th 1:5 Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanira ushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;
  29772. 2Th 1:6 sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,
  29773. 2Th 1:7 uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,
  29774. 2Th 1:8 mumoto unopfuta achitsiva kune vasingazivi Mwari, nekune vasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;
  29775. 2Th 1:9 vacharangwa nekuparadza kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,
  29776. 2Th 1:10 paachauya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vose vanotenda (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.
  29777. 2Th 1:11 Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu akuverengei makafanirwa kudanwa uye azadzise kuda kose kwakanaka kwekunaka hwake nebasa rerutendo nesimba;
  29778. 2Th 1:12 kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.
  29779. 2Th 2:1 Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari,
  29780. 2Th 2:2 kuti murege kukurumidza kuzununguswa mupfungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.
  29781. 2Th 2:3 Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,
  29782. 2Th 2:4 anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvika agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.
  29783. 2Th 2:5 Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?
  29784. 2Th 2:6 Asi ikozvino munoziva chinodzivirira, kuti aratidzwe munguva yake pachake.
  29785. 2Th 2:7 Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvika achibviswa pakati.
  29786. 2Th 2:8 Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;
  29787. 2Th 2:9 iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rose nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,
  29788. 2Th 2:10 nepakunyengera kose kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.
  29789. 2Th 2:11 Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema;
  29790. 2Th 2:12 kuti vose varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.
  29791. 2Th 2:13 Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi;
  29792. 2Th 2:14 zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
  29793. 2Th 2:15 Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
  29794. 2Th 2:16 Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, ivo Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha,
  29795. 2Th 2:17 anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko roga-roga rakanaka nebasa.
  29796. 2Th 3:1 Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri,
  29797. 2Th 3:2 uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevose.
  29798. 2Th 3:3 Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa.
  29799. 2Th 3:4 Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita.
  29800. 2Th 3:5 Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.
  29801. 2Th 3:6 Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri.
  29802. 2Th 3:7 Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu,
  29803. 2Th 3:8 uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;
  29804. 2Th 3:9 kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera.
  29805. 2Th 3:10 Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.
  29806. 2Th 3:11 Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo.
  29807. 2Th 3:12 Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo.
  29808. 2Th 3:13 Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka.
  29809. 2Th 3:14 Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare;
  29810. 2Th 3:15 uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama.
  29811. 2Th 3:16 Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzose nemitoo yose. Ishe ngaave nemwi mose.
  29812. 2Th 3:17 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo.
  29813. 2Th 3:18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni
  29814. 1Ti 1:1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu,
  29815. 1Ti 1:2 kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.
  29816. 1Ti 1:3 Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,
  29817. 1Ti 1:4 kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemarudzi dzisingaperi, dzinomutsa gakava panzvimbo yekuvaka kwaMwari kuri murutendo.
  29818. 1Ti 1:5 Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri;
  29819. 1Ti 1:6 pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo,
  29820. 1Ti 1:7 vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa.
  29821. 1Ti 1:8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,
  29822. 1Ti 1:9 achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu,
  29823. 1Ti 1:10 mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya,
  29824. 1Ti 1:11 maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa.
  29825. 1Ti 1:12 Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri,
  29826. 1Ti 1:13 ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;
  29827. 1Ti 1:14 asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
  29828. 1Ti 1:15 Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chose, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo;
  29829. 1Ti 1:16 asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndiri mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wose, ndive muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi.
  29830. 1Ti 1:17 Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari woga wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  29831. 1Ti 1:18 Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;
  29832. 1Ti 1:19 wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa, zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe,
  29833. 1Ti 1:20 vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.
  29834. 1Ti 2:1 Naizvozvo kutanga pazvose ndinokurudzira [kuti] mikumbiro, minyengetero, kureverera [ne]kupa kuvonga zviitirwe vanhu vose;
  29835. 1Ti 2:2 pamadzimambo nevose vari panzvimbo dzakakwirira, kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kose nerukudzo;
  29836. 1Ti 2:3 nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
  29837. 1Ti 2:4 uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.
  29838. 1Ti 2:5 Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
  29839. 1Ti 2:6 wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevose, chive chapupu panguva dzakafanira,
  29840. 1Ti 2:7 icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
  29841. 1Ti 2:8 Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.
  29842. 1Ti 2:9 Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera, kana nguvo dzinodhura,
  29843. 1Ti 2:10 asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.
  29844. 1Ti 2:11 Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kose.
  29845. 1Ti 2:12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
  29846. 1Ti 2:13 Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;
  29847. 1Ti 2:14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
  29848. 1Ti 2:15 asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.
  29849. 1Ti 3:1 [I]shoko rakatendeka [rekuti]: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.
  29850. 1Ti 3:2 Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,
  29851. 1Ti 3:3 asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;
  29852. 1Ti 3:4 anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwose,
  29853. 1Ti 3:5 nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?
  29854. 1Ti 3:6 Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.
  29855. 1Ti 3:7 Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
  29856. 1Ti 3:8 Saizvozvo vadhikoni ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,
  29857. 1Ti 3:9 vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
  29858. 1Ti 3:10 Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.
  29859. 1Ti 3:11 Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvose.
  29860. 1Ti 3:12 Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.
  29861. 1Ti 3:13 Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
  29862. 1Ti 3:14 Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
  29863. 1Ti 3:15 asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
  29864. 1Ti 3:16 Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
  29865. 1Ti 4:1 Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,
  29866. 1Ti 4:2 paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa,
  29867. 1Ti 4:3 vachidzivisa kuwanana nekuraira kuzira kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi.
  29868. 1Ti 4:4 Nokuti chose chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga;
  29869. 1Ti 4:5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.
  29870. 1Ti 4:6 Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakadzidziswa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera.
  29871. 1Ti 4:7 Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uye uzvirovedze pakunamata Mwari;
  29872. 1Ti 4:8 nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.
  29873. 1Ti 4:9 Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kose.
  29874. 1Ti 4:10 Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vose, zvikuru weavo vanotenda.
  29875. 1Ti 4:11 Raira zvinhu izvi udzidzise.
  29876. 1Ti 4:12 Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene.
  29877. 1Ti 4:13 Kusvika ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso.
  29878. 1Ti 4:14 Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri.
  29879. 1Ti 4:15 Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vose.
  29880. 1Ti 4:16 Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.
  29881. 1Ti 5:1 Usatuka mukuru, asi umutsiure sababa, vadiki sevanin’ina,
  29882. 1Ti 5:2 vakadzi vakuru sanamai; vakadzi vadiki sehanzvadzi, pakuchena kose.
  29883. 1Ti 5:3 Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.
  29884. 1Ti 5:4 Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.
  29885. 1Ti 5:5 Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yoga anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.
  29886. 1Ti 5:6 Asi uyo anozvipira kuzvifadza, wakafa ari mupenyu.
  29887. 1Ti 5:7 Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
  29888. 1Ti 5:8 Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi.
  29889. 1Ti 5:9 Chirikadzi ngainyorwe ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,
  29890. 1Ti 5:10 inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rose rakanaka.
  29891. 1Ti 5:11 Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;
  29892. 1Ti 5:12 dzava nemhosva, nokuti dzarasa rutendo rwekutanga.
  29893. 1Ti 5:13 Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri.
  29894. 1Ti 5:14 Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka.
  29895. 1Ti 5:15 Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
  29896. 1Ti 5:16 Kana murume upi neupi anotenda kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo.
  29897. 1Ti 5:17 Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso.
  29898. 1Ti 5:18 Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.
  29899. 1Ti 5:19 Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.
  29900. 1Ti 5:20 Vanotadza utsiure pamberi pevose, kuti vamwewo vave nekutya.
  29901. 1Ti 5:21 Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, uye usingaiti chinhu uchitsaura vanhu.
  29902. 1Ti 5:22 Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene.
  29903. 1Ti 5:23 Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.
  29904. 1Ti 5:24 Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo.
  29905. 1Ti 5:25 Saizvozvowo mabasa akanaka ari pachena, neasina kudaro haagoni kuvanzwa.
  29906. 1Ti 6:1 Vose vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.
  29907. 1Ti 6:2 Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.
  29908. 1Ti 6:3 Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nedzidziso inoenderana nekunamata Mwari,
  29909. 1Ti 6:4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,
  29910. 1Ti 6:5 kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.
  29911. 1Ti 6:6 Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo;
  29912. 1Ti 6:7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu;
  29913. 1Ti 6:8 asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi.
  29914. 1Ti 6:9 Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa;
  29915. 1Ti 6:10 nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.
  29916. 1Ti 6:11 Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.
  29917. 1Ti 6:12 Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
  29918. 1Ti 6:13 Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvose, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,
  29919. 1Ti 6:14 kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvika pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
  29920. 1Ti 6:15 kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa uye oga Wemasimbaose, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,
  29921. 1Ti 6:16 iye oga ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kumuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.
  29922. 1Ti 6:17 Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvose achiwanza kuti tifare;
  29923. 1Ti 6:18 vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana;
  29924. 1Ti 6:19 vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi.
  29925. 1Ti 6:20 Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema;
  29926. 1Ti 6:21 irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni
  29927. 2Ti 1:1 Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu,
  29928. 2Ti 1:2 kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
  29929. 2Ti 1:3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,
  29930. 2Ti 1:4 ndichishuva kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro,
  29931. 2Ti 1:5 ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaigara pakutanga muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo.
  29932. 2Ti 1:6 Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.
  29933. 2Ti 1:7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wekutya, asi wesimba, newerudo, newekuzvidzora.
  29934. 2Ti 1:8 Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari,
  29935. 2Ti 1:9 wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo,
  29936. 2Ti 1:10 asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,
  29937. 2Ti 1:11 yandakagadzirwa ini kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.
  29938. 2Ti 1:12 Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvika zuva iroro.
  29939. 2Ti 1:13 Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
  29940. 2Ti 1:14 Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta naMweya Mutsvene anogara matiri.
  29941. 2Ti 1:15 Unozviziva izvi, kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.
  29942. 2Ti 1:16 Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu,
  29943. 2Ti 1:17 asi asvika Roma, wakanditsvakisisa, akandiwana.
  29944. 2Ti 1:18 Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso, iwe unozivisisa.
  29945. 2Ti 2:1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
  29946. 2Ti 2:2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
  29947. 2Ti 2:3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.
  29948. 2Ti 2:4 Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa somurwi.
  29949. 2Ti 2:5 Uye kanawo munhu achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
  29950. 2Ti 2:6 Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
  29951. 2Ti 2:7 Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvose.
  29952. 2Ti 2:8 Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
  29953. 2Ti 2:9 yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvika pakuva muzvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
  29954. 2Ti 2:10 Saka ndinotsungirira zvinhu zvose nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.
  29955. 2Ti 2:11 Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
  29956. 2Ti 2:12 Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.
  29957. 2Ti 2:13 Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.
  29958. 2Ti 2:14 Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.
  29959. 2Ti 2:15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
  29960. 2Ti 2:16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,
  29961. 2Ti 2:17 neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;
  29962. 2Ti 2:18 ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.
  29963. 2Ti 2:19 Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.
  29964. 2Ti 2:20 Asi mumba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivha chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.
  29965. 2Ti 2:21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo werukudzo, wakaitwa mutsvene, une basa kuna Tenzi, wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
  29966. 2Ti 2:22 Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.
  29967. 2Ti 2:23 Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.
  29968. 2Ti 2:24 Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vose, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,
  29969. 2Ti 2:25 anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,
  29970. 2Ti 2:26 uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavaiva vakabatwa naye pakuda kwake.
  29971. 2Ti 3:1 Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
  29972. 2Ti 3:2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
  29973. 2Ti 3:3 vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
  29974. 2Ti 3:4 vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,
  29975. 2Ti 3:5 vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.
  29976. 2Ti 3:6 Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,
  29977. 2Ti 3:7 vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
  29978. 2Ti 3:8 Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.
  29979. 2Ti 3:9 Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vose, sezvakazoita hwavowo.
  29980. 2Ti 3:10 Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
  29981. 2Ti 3:11 kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ose.
  29982. 2Ti 3:12 Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
  29983. 2Ti 3:13 asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
  29984. 2Ti 3:14 Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
  29985. 2Ti 3:15 uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvika pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
  29986. 2Ti 3:16 Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakudzora, nepakuraira kuri mukururama;
  29987. 2Ti 3:17 kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rose rakanaka.
  29988. 2Ti 4:1 Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake:
  29989. 2Ti 4:2 Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wose nedzidziso.
  29990. 2Ti 4:3 Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve;
  29991. 2Ti 4:4 uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano.
  29992. 2Ti 4:5 Asi iwe svinura pazvinhu zvose, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
  29993. 2Ti 4:6 Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika.
  29994. 2Ti 4:7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo;
  29995. 2Ti 4:8 kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama, nezuva iroro; uye kwete kwandiri ndega, asi nekune vose vanoda kuonekwa kwake.
  29996. 2Ti 4:9 Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri.
  29997. 2Ti 4:10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratiya, Tito kuDharimatia.
  29998. 2Ti 4:11 Ruka oga aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.
  29999. 2Ti 4:12 Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.
  30000. 2Ti 4:13 Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe.
  30001. 2Ti 4:14 Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
  30002. 2Ti 4:15 iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu.
  30003. 2Ti 4:16 Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vose vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
  30004. 2Ti 4:17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vose vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
  30005. 2Ti 4:18 Uye Ishe achandirwira pabasa rose rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni.
  30006. 2Ti 4:19 Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
  30007. 2Ti 4:20 Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
  30008. 2Ti 4:21 Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzose.
  30009. 2Ti 4:22 Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni
  30010. Tit 1:1 Pauro, muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekuziva chokwadi chiri pakunamata Mwari,
  30011. Tit 1:2 patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo,
  30012. Tit 1:3 asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake nekuparidza kwakaiswa mumaoko angu zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,
  30013. Tit 1:4 kuna Tito, mwana wangu chaiye zvichienderana nerutendo rwatinodyidzana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.
  30014. Tit 1:5 Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvakasara, uye ugadze vatariri muguta rega-rega, sezvandakakuraira ini;
  30015. Tit 1:6 kana aripo asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, ane vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yekusazvidzora, kana kusateerera.
  30016. Tit 1:7 Nokuti mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, semuchengeti weimba waMwari; asina mukundo, asingakurumidzi kutsamwa, asiri muraradzi, asiri murwi, asingakariri fuma yakaipa,
  30017. Tit 1:8 asi anofarira kugamuchira vaenzi, anoda zvakanaka, anozvidzora, wakarurama, mutsvene, anozvibata,
  30018. Tit 1:9 anobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, uye kugutsa vakakavari.
  30019. Tit 1:10 Nokuti vazhinjiwo varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyengeri, zvikuru avo vekudzingiswa,
  30020. Tit 1:11 vanofanira kudzivira miromo yavo; vanopidigura misha yose, vachidzidzisa zvinhu zvisakafanira, nekuda kwefuma yakaipa.
  30021. Tit 1:12 Umwe pakati pavo, anova muporofita wavo pachavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.
  30022. Tit 1:13 Uchapupu uhu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvakasimba, kuti vagwinye parutendo,
  30023. Tit 1:14 vasingateereri ngano dzevaJudha nemirairo yevanhu vanofuratira chokwadi.
  30024. Tit 1:15 Kune vakachena zvinhu zvose zvakachena; asi kune vakasvibiswa nevasingatendi hakuna chakachena, asi kunyange kufunga kwavo nehana zvakasvibiswa.
  30025. Tit 1:16 Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, vari vanyangadzi nevasingateereri uye vasingabatsiri pabasa rose rakanaka.
  30026. Tit 2:1 Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya.
  30027. Tit 2:2 Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira;
  30028. Tit 2:3 saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
  30029. Tit 2:4 kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
  30030. Tit 2:5 vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo chaivo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
  30031. Tit 2:6 Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora;
  30032. Tit 2:7 pazvinhu zvose iwe uzviratidze uri mufananidzo wemabasa akanaka, padzidziso uchiratidza chokwadi, mugariro unokudzwa, nekuvimbika,
  30033. Tit 2:8 shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
  30034. Tit 2:9 Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo chaivo, kuti vafadze pazvose, vasingakakavari,
  30035. Tit 2:10 vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvose.
  30036. Tit 2:11 Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vose,
  30037. Tit 2:12 dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino,
  30038. Tit 2:13 tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu,
  30039. Tit 2:14 wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kose, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
  30040. Tit 2:15 Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rose. Kusava nemunhu anokuzvidza.
  30041. Tit 3:1 Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rose rakanaka,
  30042. Tit 3:2 varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.
  30043. Tit 3:3 Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivengeka, tichivengana.
  30044. Tit 3:4 Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa,
  30045. Tit 3:5 kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene,
  30046. Tit 3:6 waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
  30047. Tit 3:7 kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi.
  30048. Tit 3:8 Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;
  30049. Tit 3:9 asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emarudzi nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.
  30050. Tit 3:10 Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe,
  30051. Tit 3:11 uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene.
  30052. Tit 3:12 Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando.
  30053. Tit 3:13 Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari.
  30054. Tit 3:14 Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.
  30055. Tit 3:15 Vose vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni
  30056. Phm 1:1 Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,
  30057. Phm 1:2 nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:
  30058. Phm 1:3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
  30059. Phm 1:4 Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzose paminyengetero yangu,
  30060. Phm 1:5 ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vose,
  30061. Phm 1:6 kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chose chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
  30062. Phm 1:7 Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.
  30063. Phm 1:8 Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
  30064. Phm 1:9 asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.
  30065. Phm 1:10 Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,
  30066. Phm 1:11 waiva asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,
  30067. Phm 1:12 wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;
  30068. Phm 1:13 wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
  30069. Phm 1:14 asi handina kuda kuita chinhu kunze kwekufunga kwako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.
  30070. Phm 1:15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi;
  30071. Phm 1:16 arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvose panyama nemuna Ishe.
  30072. Phm 1:17 Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.
  30073. Phm 1:18 Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;
  30074. Phm 1:19 ini Pauro ndanyora neruoko rwangu chairwo, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, une chikwereti kwandiri iwewo pachako.
  30075. Phm 1:20 Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.
  30076. Phm 1:21 Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.
  30077. Phm 1:22 Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
  30078. Phm 1:23 Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,
  30079. Phm 1:24 Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
  30080. Phm 1:25 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni
  30081. Heb 1:1 Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
  30082. Heb 1:2 pamazuva awa ekupedzisira wakataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika,
  30083. Heb 1:3 iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,
  30084. Heb 1:4 apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo aiva awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.
  30085. Heb 1:5 Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?
  30086. Heb 1:6 Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vose vaMwari ngavamunamate.
  30087. Heb 1:7 Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
  30088. Heb 1:8 asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri; tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu.
  30089. Heb 1:9 Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
  30090. Heb 1:10 Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
  30091. Heb 1:11 izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvose zvichasakara senguvo;
  30092. Heb 1:12 uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
  30093. Heb 1:13 Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
  30094. Heb 1:14 Ko havasi vose mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?
  30095. Heb 2:1 Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.
  30096. Heb 2:2 Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa raiva rakasimba, uye kudarika kose nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,
  30097. Heb 2:3 isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,
  30098. Heb 2:4 Mwari achivapupurirawo zvose nezviratidzo, nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.
  30099. Heb 2:5 Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.
  30100. Heb 2:6 Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?
  30101. Heb 2:7 Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
  30102. Heb 2:8 Zvinhu zvose makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
  30103. Heb 2:9 Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona yekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wose.
  30104. Heb 2:10 Nokuti zvaiva zvakamufanira, iye zvinhu zvose zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvose zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.
  30105. Heb 2:11 Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vose vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,
  30106. Heb 2:12 achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.
  30107. Heb 2:13 Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.
  30108. Heb 2:14 Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,
  30109. Heb 2:15 agosunungura avo vose kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwose.
  30110. Heb 2:16 Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.
  30111. Heb 2:17 Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvose kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
  30112. Heb 2:18 Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.
  30113. Heb 3:1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, [iye] Kristu Jesu,
  30114. Heb 3:2 wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo mumba yake yose.
  30115. Heb 3:3 Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura.
  30116. Heb 3:4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe munhu; asi anovaka zvose ndiMwari.
  30117. Heb 3:5 Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka mumba yake yose semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa;
  30118. Heb 3:6 asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma.
  30119. Heb 3:7 Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
  30120. Heb 3:8 musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje,
  30121. Heb 3:9 madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana.
  30122. Heb 3:10 Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu;
  30123. Heb 3:11 naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu.
  30124. Heb 3:12 Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu;
  30125. Heb 3:13 asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi;
  30126. Heb 3:14 nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvika pakuguma;
  30127. Heb 3:15 kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira.
  30128. Heb 3:16 Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vose vakabva Egipita kubudikidza naMozisi.
  30129. Heb 3:17 Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje?
  30130. Heb 3:18 Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda?
  30131. Heb 3:19 Zvino tinoona kuti vaiva vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.
  30132. Heb 4:1 Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake chichiripo umwe wenyu aonekwe achitaira kuchisvikira.
  30133. Heb 4:2 Nokuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, sezvo risina kuvhenganiswa nerutendo kune avo vakanzwa.
  30134. Heb 4:3 Nokuti isu vakatenda tinopinda pazororo, sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu; kunyange mabasa aiva apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.
  30135. Heb 4:4 Nokuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwari wakazororawo nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;
  30136. Heb 4:5 nepanozve: Havangatongopindi muzororo rangu.
  30137. Heb 4:6 Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda mariri, uye vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,
  30138. Heb 4:7 anogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi, achitaura kubudikidza naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.
  30139. Heb 4:8 Nokuti dai Joshua aiva avapa zororo, haazaizoreva pashure peizvi pamusoro perimwe zuva.
  30140. Heb 4:9 Naizvozvo rasarirwa vanhu vaMwari zororo resabata.
  30141. Heb 4:10 Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.
  30142. Heb 4:11 Naizvozvo ngatishingairire kupinda muzororo iroro, kuti kusava neanowira mumuenzaniso iwoyo wekusateerera.
  30143. Heb 4:12 Nokuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba, uye rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye rinobaya kusvika panoparadzana mweya weupenyu nemoyo, nepemafundo nemongo; uye mutongi wendangariro nezvinangwa zvemoyo.
  30144. Heb 4:13 Hakunawo chisikwa chisingaratidziki pamberi pake; asi zvinhu zvose zvakashama uye zvakazarurirwa meso aiye watinozvidavirira kwaari.
  30145. Heb 4:14 Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
  30146. Heb 4:15 Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina chivi.
  30147. Heb 4:16 Naizvozvo ngatiswederei nekushinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha, tibatsirwe panguva yakafanira.
  30148. Heb 5:1 Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzwa akamiririra vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvose zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi;
  30149. Heb 5:2 iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera.
  30150. Heb 5:3 Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari.
  30151. Heb 5:4 Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo.
  30152. Heb 5:5 Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka.
  30153. Heb 5:6 Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.
  30154. Heb 5:7 Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari,
  30155. Heb 5:8 kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika,
  30156. Heb 5:9 akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vose vanomuteerera;
  30157. Heb 5:10 anzi naMwari mupristi mukuru zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.
  30158. Heb 5:11 Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
  30159. Heb 5:12 Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu.
  30160. Heb 5:13 Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche.
  30161. Heb 5:14 Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvose zvakanaka nezvakaipa.
  30162. Heb 6:1 Naizvozvo, tichisiya zvekutanga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzeredza, tisingaisizve nheyo yekutendeuka kubva pamabasa akafa, neyekutenda kuna Mwari,
  30163. Heb 6:2 yedzidziso yebhabhatidzo [dzakasiyana-siyana], neyekuisa maoko, neyekumuka kwevakafa, neyekutonga kwekusingaperi.
  30164. Heb 6:3 Uye izvi tichaita, koga kana Mwari achitendera.
  30165. Heb 6:4 Nokuti hazvigoneki kuti vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chekudenga, ndokuva vagovani veMweya Mutsvene,
  30166. Heb 6:5 vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya,
  30167. Heb 6:6 ndokutsauka kuti vavavandudzirezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
  30168. Heb 6:7 Nokuti nyika inonwa mvura inogarouya pamusoro payo, ndokubereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, inowana ropafadzo kubva kuna Mwari;
  30169. Heb 6:8 asi iyo inobereka minzwa nerukato, inorambwa uye yava pedo nekutukwa; kuguma kwayo kuri mukupiswa.
  30170. Heb 6:9 Asi tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani, vadiwa, uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi;
  30171. Heb 6:10 nokuti Mwari haasi asakarurama kuti akanganwe basa renyu nebasa rakarema rerudo rwamakaratidza kuzita rake, pamakashumira vatsvene uye muchiri kushumira.
  30172. Heb 6:11 Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro kuve kuvimbiswa kwakakwana kwetariro pakuguma.
  30173. Heb 6:12 Kuti murege kuva simbe, asi vateveri veavo vanodya nhaka yezvivimbiso kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.
  30174. Heb 6:13 Nokuti Mwari paakavimbisa Abhurahama, nokuti waiva asina wakamudarika waangapika naye, wakapika naiye pachake,
  30175. Heb 6:14 achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nekuwanza ndichakuwanza.
  30176. Heb 6:15 Saizvozvowo, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.
  30177. Heb 6:16 Nokuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari, nemhiko yekusimbisa kuguma kwegakava rose kwavari.
  30178. Heb 6:17 Pakazoti Mwari achida zvikurusa kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakamiririra nemhiko,
  30179. Heb 6:18 kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingagoni kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu takatizira kunovanda kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;
  30180. Heb 6:19 yatinayo sechitsigiso chemweya weupenyu chakatsiga uye chakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;
  30181. Heb 6:20 apo nhungamiri payakatipindira, iye Jesu, wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.
  30182. Heb 7:1 Nokuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahama achidzoka kubva kunouraya madzimambo, ndokumuropafadza,
  30183. Heb 7:2 Abhurahama wakamugovera chegumi chezvose; iye pakutanga ari nekuturikirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremiwo, ndokuti mambo werugare;
  30184. Heb 7:3 asina baba, asina mai, asina rudzi, asina mavambo amazuva, asina kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nekusingaperi.
  30185. Heb 7:4 Zvino rangarirai kuti mukuru sei uyu, teteguru Abhurahama vaakapawo chegumi chezvakapambiwa.
  30186. Heb 7:5 Zvino zvirokwazvo avo vanobva kuvanakomana vaRevhi vakagamuchira basa reupristi vane murairo wekutora chegumi kuvanhu zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahama;
  30187. Heb 7:6 asi iye rudzi rwake rwusina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kuna Abhurahama, akamuropafadza iye waiva ane zvivimbiso.
  30188. Heb 7:7 Zvino pasina kupikisa kose, mudiki unoropafadzwa nemukuru.
  30189. Heb 7:8 Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo, anopupurirwa kuti mupenyu ndiye anogamuchira.
  30190. Heb 7:9 Zvino, kunganzi, kubudikidza naAbhurahama Revhiwo anogamuchira zvegumi wakapa zvegumi;
  30191. Heb 7:10 nokuti waiva achiri muchiuno chababa, apo Merikizedheki akamuchingamidza.
  30192. Heb 7:11 Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hwaRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu vakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki, uye asingaidzwi zvichienderana nerudzi rwaAroni?
  30193. Heb 7:12 Nokuti kana upristi huchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.
  30194. Heb 7:13 Nokuti iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndewerumwe rudzi, rwaiva rusina munhu wakashumira paaritari.
  30195. Heb 7:14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu wakamuka kuna Judha, rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura pamusoro parwo maererano neupristi.
  30196. Heb 7:15 Uye zvichiri pachena kwazvo-kwazvo, kana kuchimuka umwe mupristi sewakatodzana naMerikizedheki,
  30197. Heb 7:16 asina kuitwa nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nenzira yesimba reupenyu husingaparadziki.
  30198. Heb 7:17 Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.
  30199. Heb 7:18 Nokuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakavapo nekuda kweutera nekusabatsira kwawo;
  30200. Heb 7:19 nokuti murairo hauna kupedzeredza chinhu, asi kutangiswa kwetariro iri nani kwakazviita, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
  30201. Heb 7:20 Uye zvaasina kuitwa pasina mhiko,
  30202. Heb 7:21 (nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki);
  30203. Heb 7:22 saizvozvo Jesu wakaitwa chibatiso chesungano inopfuura pakunaka.
  30204. Heb 7:23 Naivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa kugara nekuda kwerufu.
  30205. Heb 7:24 Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi, ane upristi husingapfuuri.
  30206. Heb 7:25 Naizvozvo ane simbawo rekuponesa zvakakwana avo vanouya kuna Mwari nemaari, zvaanoraramira kuvareverera nekusingaperi.
  30207. Heb 7:26 Nokuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;
  30208. Heb 7:27 asingafaniri zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru, kubaira chibairo pakutanga pamusoro pezvivi zvake pachake, pashure zvevanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, paakazvibaira iye.
  30209. Heb 7:28 Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi.
  30210. Heb 8:1 Zvino shoko guru pazvinhu zvatataura [ndirori]: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,
  30211. Heb 8:2 mushumiri wenzvimbo tsvene, newetabhenakeri yechokwadi, Ishe yaakadzika, kwete munhu.
  30212. Heb 8:3 Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzirwa kubaira zvipo nezvibairo; naizvozvo zvakafanira kuti naye ave nechimwe chaangabaira.
  30213. Heb 8:4 Nokuti kana aiva panyika, angadai asina kutombova mupristi, vapristi zvavaripo, vanobaira zvipo zvinoenderana nemurairo;
  30214. Heb 8:5 vanoshumira zviratidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tabhenakeri; nokuti wakati: Chenjera kuti uite zvose zvichienderana nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
  30215. Heb 8:6 Asi ikozvino wakawana ushumiri hwakanyanyisa kunaka, sezvaariwo murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.
  30216. Heb 8:7 Nokuti dai iya yekutanga yaiva isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.
  30217. Heb 8:8 Nokuti achivapa mhosva, anoti: Tarira, mazuva anouya, anotaura Ishe, zvino ndichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
  30218. Heb 8:9 Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nokuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, anoreva Ishe.
  30219. Heb 8:10 Nokuti iyi isungano yandichasungana nayo neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemumoyo mavo ndichainyora; uye ndichava kwavari Mwari, ivo vachavawo kwandiri vanhu;
  30220. Heb 8:11 uye havangatongozodzidzisi umwe neumwe umwe wake, neumwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nokuti vose vachandiziva, kubva kumudiki wavo kusvika kumukuru wavo.
  30221. Heb 8:12 Nokuti ndichava netsitsi pakusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichatongozorangariri.
  30222. Heb 8:13 Pakuti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga. Zvino chosakarawo chova chekare, chava pedo kunyangarika.
  30223. Heb 9:1 Naizvozvowo zvirokwazvo [sungano] yekutanga yaiva ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.
  30224. Heb 9:2 Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.
  30225. Heb 9:3 Zvino seri kwevheiri rechipiri kwaiva kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,
  30226. Heb 9:4 yaiva ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yaiva yakanamwa nhivi dzose negoridhe, maiva nehari yegoridhe yaiva ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemahwandefa esungano;
  30227. Heb 9:5 nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira chigaro chengoni; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.
  30228. Heb 9:6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzose mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;
  30229. Heb 9:7 asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari oga kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;
  30230. Heb 9:8 Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yaiva isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;
  30231. Heb 9:9 yaiva iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvose zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana uyo anoshumira;
  30232. Heb 9:10 zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvika panguva yekururamisa.
  30233. Heb 9:11 Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,
  30234. Heb 9:12 uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi.
  30235. Heb 9:13 Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,
  30236. Heb 9:14 zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu?
  30237. Heb 9:15 Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi.
  30238. Heb 9:16 Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.
  30239. Heb 9:17 Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.
  30240. Heb 9:18 Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.
  30241. Heb 9:19 Nokuti zviga zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku nehisopi, akasasa zvose bhuku pacharo nevanhu vose,
  30242. Heb 9:20 achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.
  30243. Heb 9:21 Saizvozvowo wakasasa neropa zvose tabhenakeri nemidziyo yose yekushumira.
  30244. Heb 9:22 Zvino zvinhu zvinenge zvose maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.
  30245. Heb 9:23 Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.
  30246. Heb 9:24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekwe pachiso chaMwari pachinzvimbo chedu;
  30247. Heb 9:25 uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;
  30248. Heb 9:26 dai zvaiva zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene.
  30249. Heb 9:27 Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;
  30250. Heb 9:28 saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazhinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.
  30251. Heb 10:1 Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu [izvozvo], haungatongogoni [kubudikidza] nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera.
  30252. Heb 10:2 Dai zvaiva zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete.
  30253. Heb 10:3 Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe;
  30254. Heb 10:4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
  30255. Heb 10:5 Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;
  30256. Heb 10:6 zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira;
  30257. Heb 10:7 ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari.
  30258. Heb 10:8 Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida uye hamuna kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo),
  30259. Heb 10:9 ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri.
  30260. Heb 10:10 Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe.
  30261. Heb 10:11 Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;
  30262. Heb 10:12 asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari,
  30263. Heb 10:13 kubva ikozvino anotarisira kusvika vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
  30264. Heb 10:14 Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
  30265. Heb 10:15 NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti:
  30266. Heb 10:16 Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, anoreva Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mupfungwa dzavo.
  30267. Heb 10:17 Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve.
  30268. Heb 10:18 Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi.
  30269. Heb 10:19 Naizvozvo, hama, zvatine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
  30270. Heb 10:20 nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;
  30271. Heb 10:21 uye zvatine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,
  30272. Heb 10:22 ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena.
  30273. Heb 10:23 Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka;
  30274. Heb 10:24 uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka,
  30275. Heb 10:25 tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera.
  30276. Heb 10:26 Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi,
  30277. Heb 10:27 asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi.
  30278. Heb 10:28 Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;
  30279. Heb 10:29 munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha?
  30280. Heb 10:30 Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake.
  30281. Heb 10:31 Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
  30282. Heb 10:32 Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;
  30283. Heb 10:33 pamwe, pamakaitwa chiokero zvose nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro.
  30284. Heb 10:34 Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga.
  30285. Heb 10:35 Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu kune mubairo mukuru.
  30286. Heb 10:36 Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso.
  30287. Heb 10:37 Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki.
  30288. Heb 10:38 Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya weupenyu wangu haungafari naye.
  30289. Heb 10:39 Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa, asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya weupenyu.
  30290. Heb 11:1 Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.
  30291. Heb 11:2 Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa.
  30292. Heb 11:3 Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinooneka.
  30293. Heb 11:4 Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti waiva akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura.
  30294. Heb 11:5 Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari waiva amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti waiva afadza Mwari;
  30295. Heb 11:6 asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka.
  30296. Heb 11:7 Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo.
  30297. Heb 11:8 Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda.
  30298. Heb 11:9 Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;
  30299. Heb 11:10 nokuti waiva achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.
  30300. Heb 11:11 Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka.
  30301. Heb 11:12 Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo zvinobva kune wakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.
  30302. Heb 11:13 Iva vose vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.
  30303. Heb 11:14 Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo.
  30304. Heb 11:15 Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.
  30305. Heb 11:16 Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
  30306. Heb 11:17 Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo waiva agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe woga,
  30307. Heb 11:18 kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa;
  30308. Heb 11:19 wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.
  30309. Heb 11:20 Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.
  30310. Heb 11:21 Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake.
  30311. Heb 11:22 Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemapfupa ake.
  30312. Heb 11:23 Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo.
  30313. Heb 11:24 Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,
  30314. Heb 11:25 akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva nemufaro wechivi kwechinguva;
  30315. Heb 11:26 akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti waiva akatarira kumubairo.
  30316. Heb 11:27 Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi.
  30317. Heb 11:28 Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata.
  30318. Heb 11:29 Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; vaEgipita vachizviidza vakanyura.
  30319. Heb 11:30 Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvika mazuva manomwe.
  30320. Heb 11:31 Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare.
  30321. Heb 11:32 Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita;
  30322. Heb 11:33 avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,
  30323. Heb 11:34 vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.
  30324. Heb 11:35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;
  30325. Heb 11:36 vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere;
  30326. Heb 11:37 vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,
  30327. Heb 11:38 (nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika.
  30328. Heb 11:39 Neava vose, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo, havana kugamuchira chivimbiso,
  30329. Heb 11:40 sezvo Mwari waiva atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu.
  30330. Heb 12:1 Naizvozvo nesu tine gore rezvapupu rakatikomberedza, ngatibvise mutoro wose nechivi chinonamatira nyore, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yatakaisirwa,
  30331. Heb 12:2 takatarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo, iye nekuda kwemufaro waakaisirwa, wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari.
  30332. Heb 12:3 Nokuti cherechedzai iye wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti murege kuneta, muchipera simba pamweya yenyu.
  30333. Heb 12:4 Muchigere kupikisa kusvika muropa muchirwa nechivi;
  30334. Heb 12:5 uye makakanganwa kurudziro inokurukura kwamuri sekuvana ichiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, uye usapera simba kana uchitsiurwa naye.
  30335. Heb 12:6 Nokuti Ishe anoranga waanoda, nekushapura mwanakomana umwe neumwe waanogamuchira.
  30336. Heb 12:7 Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari anokubatai sevanakomana; nokuti mwanakomana ndeupi baba wavasingarangi?
  30337. Heb 12:8 Asi kana musina kurangwa, pavanoitwa vagovani vose, naizvozvo muri vana veupombwe, uye kwete vanakomana.
  30338. Heb 12:9 Uyezve takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora, uye tikavakudza; ko, hatingazviisi zvikurusa pasi paBaba vemweya tigorarama here?
  30339. Heb 12:10 Nokuti ivo zvimwe vakatiranga kwemazuva mashoma, semaonero avo; asi iye anotirangira kubatsirwa, kuti tigoverane utsvene hwake.
  30340. Heb 12:11 Zvino kuranga kose kunoenda pakuvapo hakuratidzi sekwekufadza, asi kwekushungurudza; zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vakarovedzwa mazviri.
  30341. Heb 12:12 Naizvozvo simbisai maoko akaremberera pasi nemabvi asina simba;
  30342. Heb 12:13 uye gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe.
  30343. Heb 12:14 Tevererai rugare nevose, neutsvene, kunze kwezvizvi hakuna munhu achaona Ishe.
  30344. Heb 12:15 Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu anokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kukura kuzopa dambudziko, uye nawo vazhinji vasvibiswe;
  30345. Heb 12:16 ngakurege kuva neumwe anova mhombwe kana asina hanya naMwari, saEsau, wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe.
  30346. Heb 12:17 Nokuti munoziva kuti pashurewo, oda kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
  30347. Heb 12:18 Nokuti hamuna kuuya kugomo ringabatwa, nerinopfuta moto, uye kurima, nekusviba, nekudutu remhepo,
  30348. Heb 12:19 uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rirege kuchitaurwa kwavari;
  30349. Heb 12:20 nokuti vakakonewa kutakura icho chaiva charairwa, chekuti: Kana kunyange mhuka ikabata gomo, ichatakwa nemabwe, kana kufurwa nemuseve;
  30350. Heb 12:21 uye, chakaonekwa chaityisa kudai, Mozisi wakati: Ndinovhunduka, ndinodedera.
  30351. Heb 12:22 Asi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, kuJerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki,
  30352. Heb 12:23 kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevose, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa,
  30353. Heb 12:24 nekuna Jesu murevereri wesungano itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane raAbhero.
  30354. Heb 12:25 Chenjerai kuti murege kuramba uyo anotaura. Nokuti kana vasina kupukunyuka ivo vakaramba iye wakataura panyika zvinobva kuna Mwari, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye anobva kumatenga.
  30355. Heb 12:26 Iye inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo, asi ikozvino wakavimbisa, achiti: Kamwe chetezve ini ndichazungunusa kwete nyika chete, asi nedenga.
  30356. Heb 12:27 Uye izvi zvekuti: Kamwe chetezve, zvinoratidza kutamiswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti zvisingazungunuki zvigare.
  30357. Heb 12:28 Naizvozvo zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngative nenyasha dzatingashumira nadzo Mwari zvinogamuchirika pamwe nekukudza nekutya Mwari.
  30358. Heb 12:29 Nokutiwo Mwari wedu moto unoparadza.
  30359. Heb 13:1 Rudo rweukama ngarugare.
  30360. Heb 13:2 Musakanganwa kugamuchira vaeni; nokuti mukudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.
  30361. Heb 13:3 Rangarirai vasungwa, semakasungwa pamwe navo; vanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo munobatwa zvakaipa pamuviri.
  30362. Heb 13:4 Wanano ngaikudzwe kune vose, nenhovo irege kusvibiswa; asi Mwari achatonga mhombwe nezvifeve.
  30363. Heb 13:5 Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zviripo; nokuti iye wakati: Handingatongokurasi, uye handingatongokusii.
  30364. Heb 13:6 Naizvozvo tingashinga tichiti: Ishe mubatsiri wangu, uye handingatyi munhu zvaangandiitira.
  30365. Heb 13:7 Rangarirai vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari; muchicherechedza kuguma kwemafambiro avo, teverai rutendo rwavo.
  30366. Heb 13:8 Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi.
  30367. Heb 13:9 Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazikanwi; nokuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nekudya, kwavasina kubatsirwa nako ivo vakafamba makuri.
  30368. Heb 13:10 Tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tabhenakeri.
  30369. Heb 13:11 Nokuti mhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mitumbi yadzo inopiswa kunze kwemusasa.
  30370. Heb 13:12 Naizvozvowo Jesu, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake pachake wakatambudzika kunze kwesuwo.
  30371. Heb 13:13 Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.
  30372. Heb 13:14 Nokuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka rinouya.
  30373. Heb 13:15 Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichibaira chibairo chekurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo ichibvuma zita rake.
  30374. Heb 13:16 Asi musakanganwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nokuti Mwari anofadzwa nezvibairo zvakadaro.
  30375. Heb 13:17 Teererai vanokutungamirirai, uye muzviise pasi pavo; nokuti ava vanorindira mweya yeupenyu yenyu, sevachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nemufaro, kwete nekugomera; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi.
  30376. Heb 13:18 Tinyengetererei; nokuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvose;
  30377. Heb 13:19 uye ndinokukumbirisisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
  30378. Heb 13:20 Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu,
  30379. Heb 13:21 ngaakupereredzei pabasa rose rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  30380. Heb 13:22 Asi ndinokukumbirisai, hama, gamuchirai makatsunga shoko rekurudziro, nokutiwo ndakunyorerai nemashoko mashoma.
  30381. Heb 13:23 Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai ndinaye.
  30382. Heb 13:24 Kwazisai vose vanokutungamirirai, nevatsvene vose. Vanobva Itaria vanokukwazisai.
  30383. Heb 13:25 Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni
  30384. Jas 1:1 Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
  30385. Jas 1:2 Zvitorei semufaro wose, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,
  30386. Jas 1:3 muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
  30387. Jas 1:4 asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
  30388. Jas 1:5 Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vose, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.
  30389. Jas 1:6 Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
  30390. Jas 1:7 Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
  30391. Jas 1:8 Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzose.
  30392. Jas 1:9 Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
  30393. Jas 1:10 nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
  30394. Jas 1:11 Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
  30395. Jas 1:12 Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana aedzwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.
  30396. Jas 1:13 Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
  30397. Jas 1:14 Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezvewa.
  30398. Jas 1:15 Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
  30399. Jas 1:16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
  30400. Jas 1:17 Chipo chose chakanaka nechipiwa chose chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
  30401. Jas 1:18 Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
  30402. Jas 1:19 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
  30403. Jas 1:20 nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
  30404. Jas 1:21 Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvose nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakasimwa mamuri, rinogona kuponesa mweya yeupenyu yenyu.
  30405. Jas 1:22 Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
  30406. Jas 1:23 Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
  30407. Jas 1:24 nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
  30408. Jas 1:25 Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
  30409. Jas 1:26 Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
  30410. Jas 1:27 Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.
  30411. Jas 2:1 Hama dzangu, kwete nerusarura muve nerutendo rwaIshe wedu Jesu Kristu wekubwinya.
  30412. Jas 2:2 Nokuti kana muungano yenyu mukapinda murume ane mhete yegoridhe nenguvo inopenya, mukapindawo murombo ane nguvo yakasviba,
  30413. Jas 2:3 imwi ndokutarira uyo wakapfeka nguvo inopenya; ndokuti kwaari: Iwe gara pano zvakanaka; ndokuti kumurombo: Iwe mira ipapo; kana: Gara pano pasi pechitsiko chetsoka dzangu;
  30414. Jas 2:4 hamunawo kusarura mukati menyu pachenyu mukavawo vatongi vendangariro dzakaipa here?
  30415. Jas 2:5 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa. Mwari haana here kusarudza varombo venyika ino, vakafuma parutendo, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda?
  30416. Jas 2:6 Asi imwi makazvidza murombo. Vafumi havakutsikiririi here, uye ndivo vanokukweverai kumatare?
  30417. Jas 2:7 Ivo havanyombi zita rakanaka rakadanwa pamuri here?
  30418. Jas 2:8 Kana zvirokwazvo muchizadzisa murairo weushe, zvinoenderana nerugwaro rwunoti: Ida wekwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka;
  30419. Jas 2:9 asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki.
  30420. Jas 2:10 Nokuti ani nani anochengeta murairo wose, asi akagumburwa pane umwe, anova nemhosva kune yose.
  30421. Jas 2:11 Nokuti iye wakati: Usaita upombwe; wakatiwo: Usauraya; zvino kana usingaiti upombwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo.
  30422. Jas 2:12 Taurai saizvozvo uye itai saizvozvo, sevachazotongwa nemurairo werusununguko.
  30423. Jas 2:13 Nokuti kutonga kusina tsitsi ndekweasina kuita tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza pakukutonga.
  30424. Jas 2:14 Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo, asi asina mabasa? Rutendo urwu rwunogona kumuponesa here?
  30425. Jas 2:15 Zvino kana hamarume kana hamakadzi yakashama uye achishaiwa kudya kwezuva rimwe nerimwe,
  30426. Jas 2:16 umwe wenyu ndokuti kwavari: Ibvai murugare, mudziyirwe uye mugute; asi musingavapi zvinhu zvinodikanwa nemuviri, izvo zvinobatsirei?
  30427. Jas 2:17 Saizvozvowo rutendo, kana rwusina mabasa, rwakafa pacharwo.
  30428. Jas 2:18 Asi umwe achati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa; ndiratidze rutendo rwako kunze kwemabasa ako, neni pamabasa angu ndichakuratidza rutendo rwangu.
  30429. Jas 2:19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari umwe; unoita zvakanaka; nemadhimoni anotenda uye anodedera.
  30430. Jas 2:20 Asi unoda kuziva here, haiwa dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?
  30431. Jas 2:21 Abhurahama baba vedu havana kunzi vakarurama kubva pamabasa here, vabaira mwanakomana wavo Isaka pamusoro pearitari?
  30432. Jas 2:22 Unoona kuti rutendo rwakabata pamwe nemabasa ake, uye kubva pamabasa rutendo rwakaperedzerwa here?
  30433. Jas 2:23 Nerugwaro rukazadzisika rwunoti: NaAbhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengerwawo kwaari kuti ndiko kururama, akanziwo shamwari yaMwari.
  30434. Jas 2:24 Naizvozvo munoona kuti munhu anonzi wakarurama kubva pamabasa, uye kwete kubva parutendo chete.
  30435. Jas 2:25 Saizvozvowo naRakabhi chifeve haana kunzi wakarurama kubva pamabasa here, agamuchira vatumwa, nekuvabudisa neimwe nzira?
  30436. Jas 2:26 Nokuti semuviri pasina mweya wakafa, saizvozvowo rutendo rwusina mabasa rwakafa.
  30437. Jas 3:1 Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru.
  30438. Jas 3:2 Nokuti tose tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wose.
  30439. Jas 3:3 Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wose.
  30440. Jas 3:4 Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi.
  30441. Jas 3:5 Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei!
  30442. Jas 3:6 Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wose, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.
  30443. Jas 3:7 Nokuti marudzi ose emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu;
  30444. Jas 3:8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya.
  30445. Jas 3:9 Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari;
  30446. Jas 3:10 mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo.
  30447. Jas 3:11 Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here?
  30448. Jas 3:12 Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka.
  30449. Jas 3:13 Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.
  30450. Jas 3:14 Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.
  30451. Jas 3:15 Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni.
  30452. Jas 3:16 Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kose kwakaipa.
  30453. Jas 3:17 Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera.
  30454. Jas 3:18 Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare.
  30455. Jas 4:1 Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu?
  30456. Jas 4:2 Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.
  30457. Jas 4:3 Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.
  30458. Jas 4:4 Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari.
  30459. Jas 4:5 Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo?
  30460. Jas 4:6 Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
  30461. Jas 4:7 Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai.
  30462. Jas 4:8 Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri.
  30463. Jas 4:9 Tambudzikai uye rirai uye chemai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara.
  30464. Jas 4:10 Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai.
  30465. Jas 4:11 Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.
  30466. Jas 4:12 Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe?
  30467. Jas 4:13 Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo;
  30468. Jas 4:14 imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika.
  30469. Jas 4:15 Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho.
  30470. Jas 4:16 Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kose kwakadai kwakaipa.
  30471. Jas 4:17 Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari.
  30472. Jas 5:1 Uyai ikozvino imwi vafumi, chemai muungudze nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai.
  30473. Jas 5:2 Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa.
  30474. Jas 5:3 Goridhe renyu nesirivha zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.
  30475. Jas 5:4 Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
  30476. Jas 5:5 Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.
  30477. Jas 5:6 Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.
  30478. Jas 5:7 Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvika pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvika chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira.
  30479. Jas 5:8 Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera.
  30480. Jas 5:9 Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova.
  30481. Jas 5:10 Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe.
  30482. Jas 5:11 Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.
  30483. Jas 5:12 Asi pamberi pezvose, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
  30484. Jas 5:13 Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema.
  30485. Jas 5:14 Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe;
  30486. Jas 5:15 uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.
  30487. Jas 5:16 Reururiranai kudarika, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru.
  30488. Jas 5:17 Eria waiva ari munhu wemanzwiro akafanana needu, akanyengetera nemoyo wose kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;
  30489. Jas 5:18 zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo.
  30490. Jas 5:19 Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora,
  30491. Jas 5:20 ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya weupenyu parufu nekufukidza zvivi zvizhinji
  30492. 1Pe 1:1 Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvaeni vakasanangurwa vekupararira kwePonto, Garatiya, Kapadhokia, Asia, neBhitinia,
  30493. 1Pe 1:2 maererano nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba, mukuita vatsvene kweMweya, pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri.
  30494. 1Pe 1:3 Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro inorarama kubudikidza nekumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
  30495. 1Pe 1:4 panhaka isingaori neisina kusvibiswa uye isingabvuruvari, yakachengeterwa imwi kumatenga,
  30496. 1Pe 1:5 imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuzarurwa panguva yekupedzisira.
  30497. 1Pe 1:6 Yamunofara mairi zvikuru, kunyange ikozvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa mumiedzo yakasiyana-siyana,
  30498. 1Pe 1:7 kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwegoridhe rinoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa nerukudzo nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu;
  30499. 1Pe 1:8 iye musina kumuona munomuda; iye ikozvino musingamuoni asi munotenda kwaari, munofara nemufaro usingatauriki uye unorumbidzwa,
  30500. 1Pe 1:9 muchigamuchira mugumo werutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yeupenyu yenyu.
  30501. 1Pe 1:10 Nezveruponeso urwu vaporofita vakabvunzisisa nekunzvera, ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri;
  30502. 1Pe 1:11 vachinzvera kuti panguva ipi kana yakadini Mweya waKristu waiva ari mavari yaakaratidza, paakagara apupura matambudziko maererano naKristu, nekubwinya shure kweizvi.
  30503. 1Pe 1:12 Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari ivo, asi kwatiri vaishandira zvinhu izvi, zvamunoparidzirwa ikozvino nevakakuparidzirai evhangeri neMweya Mutsvene wakatumwa kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kunyatsoongorora.
  30504. 1Pe 1:13 Naizvozvo masunga zviuno zvemurangariro wenyu, zvidzorei, mutaririre zvakakwana kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu;
  30505. 1Pe 1:14 sevana vanoteerera, musingazvifananidzi nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu.
  30506. 1Pe 1:15 Asi sezvo wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ose;
  30507. 1Pe 1:16 nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.
  30508. 1Pe 1:17 Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura anotonga zvinoenderana nebasa reumwe neumwe, garai panguva yeutorwa hwenyu mukutya;
  30509. 1Pe 1:18 muchiziva kuti hamuna kudzikunurwa nezvinoora, sirivha kana goridhe, pamafambiro enyu asina maturo amakagamuchira kumadzibaba enyu;
  30510. 1Pe 1:19 asi neropa rinokosha raKristu seregwayana risina charinopomerwa uye risina gwapa.
  30511. 1Pe 1:20 Iye zvirokwazvo wakagara azikanwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa panguva dzekupedzisira nekuda kwenyu,
  30512. 1Pe 1:21 iye wamunotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kubva kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti rutendo rwenyu netariro zvive kuna Mwari.
  30513. 1Pe 1:22 Manatsa mweya yeupenyu yenyu pakuteerera chokwadi kubudikidza neMweya mukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wakachena;
  30514. 1Pe 1:23 maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi.
  30515. 1Pe 1:24 Nokuti nyama yose yakaita seuswa, nekubwinya kose kwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha;
  30516. 1Pe 1:25 asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Uye iri ishoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri.
  30517. 1Pe 2:1 Naizvozvo bvisai uipi hwose nemano-mano ose neunyepedzeri negodo neucheri hwose,
  30518. 1Pe 2:2 sevacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kuiswa chinhu weshoko, kuti mukure nawo;
  30519. 1Pe 2:3 zvimwe kana makaravira kuti Ishe ane moyo munyoro.
  30520. 1Pe 2:4 Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha,
  30521. 1Pe 2:5 imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.
  30522. 1Pe 2:6 Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi.
  30523. 1Pe 2:7 Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona,
  30524. 1Pe 2:8 uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo.
  30525. 1Pe 2:9 Asi imwi muri rudzi rwakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kose kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa;
  30526. 1Pe 2:10 imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; maiva musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi.
  30527. 1Pe 2:11 Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya weupenyu;
  30528. 1Pe 2:12 mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa.
  30529. 1Pe 2:13 Naizvozvo muzviise pasi pekugadzwa kumwe nekumwe kwevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga;
  30530. 1Pe 2:14 kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka.
  30531. 1Pe 2:15 Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi;
  30532. 1Pe 2:16 sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari.
  30533. 1Pe 2:17 Kudzai vose. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
  30534. 1Pe 2:18 Varanda, zviisei pasi pevana tenzi nekutya kose, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama.
  30535. 1Pe 2:19 Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira.
  30536. 1Pe 2:20 Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari.
  30537. 1Pe 2:21 Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake;
  30538. 1Pe 2:22 iye asina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make;
  30539. 1Pe 2:23 iye wakati achitukwa haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama;
  30540. 1Pe 2:24 iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake.
  30541. 1Pe 2:25 Nokuti maiva makaita semakwai akarasika; asi ikozvino madzokera kuMufudzi neMutariri wemweya yeupenyu yenyu.
  30542. 1Pe 3:1 Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu iyemwi; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nekuda kwemafambiro evakadzi pasina shoko,
  30543. 1Pe 3:2 vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.
  30544. 1Pe 3:3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo;
  30545. 1Pe 3:4 asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari.
  30546. 1Pe 3:5 Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo ivo;
  30547. 1Pe 3:6 saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.
  30548. 1Pe 3:7 Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa.
  30549. 1Pe 3:8 Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mose, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;
  30550. 1Pe 3:9 musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadza, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.
  30551. 1Pe 3:10 Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera.
  30552. 1Pe 3:11 Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.
  30553. 1Pe 3:12 Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.
  30554. 1Pe 3:13 Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?
  30555. 1Pe 3:14 Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, uye musavhiringidzwa;
  30556. 1Pe 3:15 asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya;
  30557. 1Pe 3:16 mune hana yakanaka, kuti, pavanokucherai sevaiti vezvakaipa, vanyare ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu.
  30558. 1Pe 3:17 Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa.
  30559. 1Pe 3:18 Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya;
  30560. 1Pe 3:19 mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,
  30561. 1Pe 3:20 iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya yeupenyu misere nemvura.
  30562. 1Pe 3:21 Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu,
  30563. 1Pe 3:22 ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake.
  30564. 1Pe 4:1 Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi;
  30565. 1Pe 4:2 kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.
  30566. 1Pe 4:3 Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, mitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi;
  30567. 1Pe 4:4 zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai;
  30568. 1Pe 4:5 vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.
  30569. 1Pe 4:6 Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya.
  30570. 1Pe 4:7 Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.
  30571. 1Pe 4:8 Uye mberi kwezvinhu zvose ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji.
  30572. 1Pe 4:9 Gamuchiranai, pasina kunyunyuta.
  30573. 1Pe 4:10 Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari.
  30574. 1Pe 4:11 Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvose kubudikidza naJesu Kristu; kwaari kune kukudzwa nesimba kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  30575. 1Pe 4:12 Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi;
  30576. 1Pe 4:13 asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa.
  30577. 1Pe 4:14 Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa.
  30578. 1Pe 4:15 Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe;
  30579. 1Pe 4:16 asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi.
  30580. 1Pe 4:17 Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?
  30581. 1Pe 4:18 Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekera papi?
  30582. 1Pe 4:19 Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yeupenyu yavo pakuita zvakanaka.
  30583. 1Pe 5:1 Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa:
  30584. 1Pe 5:2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa, asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,
  30585. 1Pe 5:3 kwetewo kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.
  30586. 1Pe 5:4 Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.
  30587. 1Pe 5:5 Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mose muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
  30588. 1Pe 5:6 Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,
  30589. 1Pe 5:7 muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nokuti iye ane hanya nemwi.
  30590. 1Pe 5:8 Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza;
  30591. 1Pe 5:9 mumurambire makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.
  30592. 1Pe 5:10 Asi Mwari wenyasha dzose, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai, nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai.
  30593. 1Pe 5:11 Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  30594. 1Pe 5:12 NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri.
  30595. 1Pe 5:13 Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu.
  30596. 1Pe 5:14 Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu Jesu. Ameni
  30597. 2Pe 1:1 Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu:
  30598. 2Pe 1:2 Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu.
  30599. 2Pe 1:3 Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvose zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka;
  30600. 2Pe 1:4 akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.
  30601. 2Pe 1:5 Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kose, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo,
  30602. 2Pe 1:6 neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari,
  30603. 2Pe 1:7 nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo.
  30604. 2Pe 1:8 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu Jesu Kristu.
  30605. 2Pe 1:9 Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare.
  30606. 2Pe 1:10 Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi.
  30607. 2Pe 1:11 Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu.
  30608. 2Pe 1:12 Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo.
  30609. 2Pe 1:13 Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo;
  30610. 2Pe 1:14 ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristu sezvaakandiratidzawo.
  30611. 2Pe 1:15 Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzose shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi.
  30612. 2Pe 1:16 Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi taiva tiri vakazvionera kubwinya kwake.
  30613. 2Pe 1:17 Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu mudikanwa, wandinofara maari ini;
  30614. 2Pe 1:18 uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene.
  30615. 2Pe 1:19 Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvika utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;
  30616. 2Pe 1:20 muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho.
  30617. 2Pe 1:21 Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene.
  30618. 2Pe 2:1 Asi kwaiva nevaporofita venhemawo pakati pevanhu, sezvakuchavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu, vachapinza pachivande kutsauka kunoparadza, vachiramba kunyange Ishe wakavatenga, vachizviuisira kuparara kunokurumidza.
  30619. 2Pe 2:2 Zvino zhinji vachatevera kuparadzwa kwavo; nekuda kwavo nzira yechokwadi ichanyombwa.
  30620. 2Pe 2:3 Uye pakuchiva namashoko akaumbwa vachawana mubairo nemwi; kutongwa kwavo kwakare hakunonoki, nekuparadzwa kwavo hakutsumwairi.
  30621. 2Pe 2:4 Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena achivakumikidza kumaketani erima kuti vachengeterwe mutongo;
  30622. 2Pe 2:5 uye haana kurega nyika yekare, asi wakachengetedza Nowa muparidzi wekururama nevamwe vanomwe, paakauisa mafashame panyika yevasingadi Mwari;
  30623. 2Pe 2:6 nekuroromesa maguta eSodhoma neGomora, akaatongera kuparadzwa, akaaita chive chiratidzo kune vachazogara vasingadi Mwari;
  30624. 2Pe 2:7 akanunurawo Roti wakarurama, wakazvidya moyo pakuzvibata mukunyangadza kwevakaipa;
  30625. 2Pe 2:8 (nokuti uyo wakarurama, agere pakati pavo, pakuona nekunzwa, wakarwadzisa kwazvo mweya weupenyu wake wakarurama zuva rimwe nerimwe nemabasa asina murairo).
  30626. 2Pe 2:9 Ishe anoziva kununura vanonamata Mwari kubva pamiedzo, nekuchengeta vasakarurama kusvika pazuva rekutongwa vachirangwa;
  30627. 2Pe 2:10 asi zvikuru ivo vanofamba nemutoo wenyama paruchiva rwetsvina, nekuzvidza utongi. Vasina hanya, vane nharo, vasingatyi kutuka vanokudzwa;
  30628. 2Pe 2:11 izvo vatumwa, vanopfuura pakugona nesimba, havauyisi pavari mutongo wekunyomba pamberi paIshe.
  30629. 2Pe 2:12 Asi ava, vakaita semhuka pachisikirwo dzisina fungwa dzakaberekerwa kubatwa nekuparadzwa, vanotuka zvavasingazivi, vachaparadzwa pakuora kwavo,
  30630. 2Pe 2:13 vachagamuchira mubairo wekusarurama, vanoti mafaro kuita umbozha masikati, ivo makwapa nechinyadzo, vanofara mukunyengera kwavo kana vari pamabiko nemwi,
  30631. 2Pe 2:14 vane meso azere neupombwe, nevasingaregi chivi, vanonyengera mweya yeupenyu isina simba, vane moyo wakarovedzwa kuchiva; vana vechakatukwa;
  30632. 2Pe 2:15 vasiya nzira yakarurama vakatsauka, vatevera nzira yaBharami waBhosori, wakada mubairo wekusarurama,
  30633. 2Pe 2:16 asi wakava nekutsiurwa kwekudarika kwake; mbongoro chimumumu ichitaura muinzwi remunhu, chikadzivisa upengo hwemuporofita.
  30634. 2Pe 2:17 Iva zvitubu zvisina mvura, makore anosundwa nedutu remhepo; ivo vakachengeterwa mhute yerima kusvika kusingaperi.
  30635. 2Pe 2:18 Nokuti vachitaura zvekuzvikudza kusina maturo, vanokwezva neruchiva rwenyama neunzenza avo vakapukunyuka zvirokwazvo kune vanofamba mukutsauka;
  30636. 2Pe 2:19 vachivavimbisa rusununguko, ivo pachavo vari varanda vekuora; nokuti uyo umwe waakundwa naye, ndiyewo waanoitwa muranda kwaari.
  30637. 2Pe 2:20 Nokuti kana vapukunyuka patsvina yenyika kubudikidza neruzivo rwaIshe neMuponesi Jesu Kristu, vanopfekanidzwazve mazviri vachikundwa, zvinhu zvekuguma zvigova kwavari zvakaipa kupfuura zvekutanga.
  30638. 2Pe 2:21 Nokuti zvaiva nani kwavari kuti dai vaiva vasina kuziva nzira yekururama, pakuti vaziva vadzoke kubva pamurairo mutsvene wakakumikidzwa kwavari.
  30639. 2Pe 2:22 Asi zvakaitika kwavari zvedimikira rechokwadi zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo pachayo; nehadzi yenguruve yaiva yashamba kukuvumburuka mumatope.
  30640. 2Pe 3:1 Ikozvino iyi, vadikanwi, itsamba yechipiri yandinokunyorerai; panaidzodzi [mbiri] ndinomutsa murangariro wenyu wakachena nechiyeuchidzo,
  30641. 2Pe 3:2 kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu, tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi;
  30642. 2Pe 3:3 muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pakuguma kwemazuva vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo pachavo,
  30643. 2Pe 3:4 uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nokuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvose zvakaramba zvakadaro kubva pakutanga kwekusikwa.
  30644. 2Pe 3:5 Nokuti vanokanganwa ichi maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika, iripo kubva mumvura, uye kubudikidza nemvura, neshoko raMwari;
  30645. 2Pe 3:6 nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura yakaparadzwa.
  30646. 2Pe 3:7 Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengetwa neirori shoko, zvakachengeterwa moto pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.
  30647. 2Pe 3:8 Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe.
  30648. 2Pe 3:9 Ishe haanonoki maererano nechivimbiso, sevamwe vanoti kunonoka; asi ane moyo murefu kwatiri, asingadi kuti ani nani aparare, asi kuti vose vasvike pakutendeuka.
  30649. 2Pe 3:10 Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichanyunguduswa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa.
  30650. 2Pe 3:11 Sezvo zvinhu izvi zvose zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vakadini pamafambiro matsvene nekunamata Mwari,
  30651. 2Pe 3:12 makatarisira nekumhanyira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga achipiswa achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru.
  30652. 2Pe 3:13 Asi sechivimbiso chake tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, mazviri munogara kururama.
  30653. 2Pe 3:14 Naizvozvo vadikanwi, zvamunotarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingashoreki.
  30654. 2Pe 3:15 Zvino muti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikanwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari;
  30655. 2Pe 3:16 semutsamba dzake dzosewo, achitaura madziri maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika, izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, semamwewo magwaro, kusvika pakuparadzwa kwavo pachavo.
  30656. 2Pe 3:17 Naizvozvo imwi, vadikanwi, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti murege kutsauswa pamwe nekunyengera kwevasina murairo, muwe pakusimba kwenyu.
  30657. 2Pe 3:18 Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni
  30658. 1Jn 1:1 Icho chaiva chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu,
  30659. 1Jn 1:2 (uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwaiva huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri);
  30660. 1Jn 1:3 icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu;
  30661. 1Jn 1:4 uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
  30662. 1Jn 1:5 Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.
  30663. 1Jn 1:6 Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;
  30664. 1Jn 1:7 asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chose.
  30665. 1Jn 1:8 Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.
  30666. 1Jn 1:9 Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kose.
  30667. 1Jn 1:10 Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.
  30668. 1Jn 2:1 Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;
  30669. 1Jn 2:2 uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yose.
  30670. 1Jn 2:3 Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
  30671. 1Jn 2:4 Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo;
  30672. 1Jn 2:5 asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari.
  30673. 1Jn 2:6 Uyo anoti anogara maari, iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo.
  30674. 1Jn 2:7 Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamaiva munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.
  30675. 1Jn 2:8 Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera.
  30676. 1Jn 2:9 Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvika zvino.
  30677. 1Jn 2:10 Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari.
  30678. 1Jn 2:11 Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
  30679. 1Jn 2:12 Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake.
  30680. 1Jn 2:13 Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba.
  30681. 1Jn 2:14 Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye waiva aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa.
  30682. 1Jn 2:15 Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari.
  30683. 1Jn 2:16 Nokuti zvose zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika.
  30684. 1Jn 2:17 Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi.
  30685. 1Jn 2:18 Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.
  30686. 1Jn 2:19 Vakabuda kwatiri, asi vaiva vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vose vanobva kwedu.
  30687. 1Jn 2:20 Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvose.
  30688. 1Jn 2:21 Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi.
  30689. 1Jn 2:22 Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana.
  30690. 1Jn 2:23 Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo.
  30691. 1Jn 2:24 Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba.
  30692. 1Jn 2:25 Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi.
  30693. 1Jn 2:26 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai.
  30694. 1Jn 2:27 Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.
  30695. 1Jn 2:28 Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake.
  30696. 1Jn 2:29 Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye.
  30697. 1Jn 3:1 Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
  30698. 1Jn 3:2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
  30699. 1Jn 3:3 Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye.
  30700. 1Jn 3:4 Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo.
  30701. 1Jn 3:5 Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari.
  30702. 1Jn 3:6 Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, uye haana kumuziva.
  30703. 1Jn 3:7 Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama;
  30704. 1Jn 3:8 uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
  30705. 1Jn 3:9 Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari.
  30706. 1Jn 3:10 Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake.
  30707. 1Jn 3:11 Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
  30708. 1Jn 3:12 kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin’ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake aiva akaipa, asi emunin’ina wake aiva akarurama.
  30709. 1Jn 3:13 Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
  30710. 1Jn 3:14 Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu.
  30711. 1Jn 3:15 Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi.
  30712. 1Jn 3:16 Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu.
  30713. 1Jn 3:17 Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari?
  30714. 1Jn 3:18 Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi.
  30715. 1Jn 3:19 Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake.
  30716. 1Jn 3:20 Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvose.
  30717. 1Jn 3:21 Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari;
  30718. 1Jn 3:22 uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
  30719. 1Jn 3:23 Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
  30720. 1Jn 3:24 Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa.
  30721. 1Jn 4:1 Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
  30722. 1Jn 4:2 Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wose mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari.
  30723. 1Jn 4:3 Zvino mweya wose usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika.
  30724. 1Jn 4:4 Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika.
  30725. 1Jn 4:5 Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa.
  30726. 1Jn 4:6 Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka.
  30727. 1Jn 4:7 Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda, wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari.
  30728. 1Jn 4:8 Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
  30729. 1Jn 4:9 Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.
  30730. 1Jn 4:10 Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu.
  30731. 1Jn 4:11 Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana.
  30732. 1Jn 4:12 Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri.
  30733. 1Jn 4:13 Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake.
  30734. 1Jn 4:14 Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika.
  30735. 1Jn 4:15 Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
  30736. 1Jn 4:16 Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari.
  30737. 1Jn 4:17 Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino.
  30738. 1Jn 4:18 Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; uye anotya haana kuperedzerwa parudo.
  30739. 1Jn 4:19 Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida.
  30740. 1Jn 4:20 Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona?
  30741. 1Jn 4:21 Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake.
  30742. 1Jn 5:1 Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari.
  30743. 1Jn 5:2 Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake.
  30744. 1Jn 5:3 Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi.
  30745. 1Jn 5:4 Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu.
  30746. 1Jn 5:5 Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?
  30747. 1Jn 5:6 Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi.
  30748. 1Jn 5:7 Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga: Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe.
  30749. 1Jn 5:8 Uye kune vatatu vanopupura panyika: Mweya, nemvura, neropa; uye ava vatatu vari mune chimwe.
  30750. 1Jn 5:9 Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake.
  30751. 1Jn 5:10 Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake.
  30752. 1Jn 5:11 Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake.
  30753. 1Jn 5:12 Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
  30754. 1Jn 5:13 Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari.
  30755. 1Jn 5:14 Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa;
  30756. 1Jn 5:15 zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari.
  30757. 1Jn 5:16 Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi.
  30758. 1Jn 5:17 Kusarurama kose chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu.
  30759. 1Jn 5:18 Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati.
  30760. 1Jn 5:19 Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yose irere muzvakaipa.
  30761. 1Jn 5:20 Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi.
  30762. 1Jn 5:21 Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni
  30763. 2Jn 1:1 Mukuru kuna amai vakasanangurwa nekuvana vavo, ini vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndega, asiwo vose vakaziva chokwadi,
  30764. 2Jn 1:2 nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi.
  30765. 2Jn 1:3 Ngazvive nemwi nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba, nekuna Ishe Jesu Kristu Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
  30766. 2Jn 1:4 Ndinofara zvikuru kuti ndakawana kubva pavana vako vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
  30767. 2Jn 1:5 Ikozvinowo ndinokukumbirisai, amai, kwete sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo wataiva tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
  30768. 2Jn 1:6 Zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe zvinoenderana nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
  30769. 2Jn 1:7 Nokuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
  30770. 2Jn 1:8 Zvichenjererei pachenyu, kuti tirege kurasikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi tigamuchire mubairo wakakwana.
  30771. 2Jn 1:9 Ani nani anodarika uye asingagari mudzidziso yaKristu, haana Mwari; uyo anogara mudzidziso yaKristu, uyu ana Babawo uye Mwanakomana.
  30772. 2Jn 1:10 Kana umwe achiuya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, uye musati kwaari: Kwaziwai;
  30773. 2Jn 1:11 nokuti anoti kwaari: Kwaziwai, anodyidzana nemabasa ake akaipa.
  30774. 2Jn 1:12 Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, uye kutaura muromo nemuromo, kuti mufaro wenyu uve wakazara.
  30775. 2Jn 1:13 Vana vemunin’ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni
  30776. 3Jn 1:1 Mukuru kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.
  30777. 3Jn 1:2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvose kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya weupenyu wako uchibudirira.
  30778. 3Jn 1:3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.
  30779. 3Jn 1:4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.
  30780. 3Jn 1:5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvose zvaunobata kuhama nekuvaeni,
  30781. 3Jn 1:6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.
  30782. 3Jn 1:7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.
  30783. 3Jn 1:8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.
  30784. 3Jn 1:9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.
  30785. 3Jn 1:10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.
  30786. 3Jn 1:11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
  30787. 3Jn 1:12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevose, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.
  30788. 3Jn 1:13 Ndaiva ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
  30789. 3Jn 1:14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita
  30790. Jud 1:1 Judha muranda waJesu Kristu, uye munin’ina waJakobho, kune vakaitwa vatsvene muna Mwari Baba, uye vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadanwa:
  30791. Jud 1:2 Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
  30792. Jud 1:3 Vadikanwi, ndichiita kushingaira kose kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tose, zvaiva zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
  30793. Jud 1:4 Nokuti kuna vamwe vanhu vakapinda nekunyangira, vakagara vanyorerwa kupiwa mhosva uku, vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, uye vachiramba Tenzi umwe woga Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
  30794. Jud 1:5 Asi ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maiziva ichi kamwe, kuti Ishe aponesa vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vaiva vasingatendi.
  30795. Jud 1:6 Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima.
  30796. Jud 1:7 SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi.
  30797. Jud 1:8 Saizvozvowo neimwe nzira neava vachirota zvirokwazvo vanosvibisa nyama, vachiramba utongi, nekutuka ukuru.
  30798. Jud 1:9 Asi Mikayeri mutumwa mukuru, nguva yaakapokana nadhiabhorosi akakakavara pamusoro pemutumbi waMozisi, haana kushinga kumupa mhosva nemutongo wekutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
  30799. Jud 1:10 Asi ava vanotuka zvose zvavasingazivi; asi zvose zvavanoziva pachisikirwo, semhuka dzisina pfungwa, vanozviparadza muzvinhu izvi.
  30800. Jud 1:11 Vane nhamo! Nokuti vakafamba nenzira yaKaini, uye vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa panharo dzaKora.
  30801. Jud 1:12 Ava makwapa pamabiko enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando, isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;
  30802. Jud 1:13 mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi.
  30803. Jud 1:14 NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava achiti: Tarira, Ishe wakauya nevatsvene vake zvuru zvamazana,
  30804. Jud 1:15 kuzoita mutongo unopikisa vose, nekupa mhosva vose vavo vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose ekusada Mwari, avakaita mukusada Mwari, nepamusoro pezvikukutu zvose vatadzi vasingadi Mwari zvavakataura maererano naye.
  30805. Jud 1:16 Ava van’un’uni, vasingagutsikani, vanofamba nekuchiva kwavo; uye muromo wavo unotaura zvekuzvikudza, vachirumbidza vanhu nekuda kwemubairo.
  30806. Jud 1:17 Asi imwi vadikanwi, rangarirai mashoko akagara ataurwa nevaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
  30807. Jud 1:18 kuti vakati kwamuri: Panguva yekupedzisira vaseki vachavapo, vachafamba nekuchiva kwavo kwekusada Mwari.
  30808. Jud 1:19 Ava ndivo vanozviparadzanisa, ndevechisikirwo, vasina Mweya.
  30809. Jud 1:20 Asi imwi vadikanwi, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene-tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
  30810. Jud 1:21 muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvika kuupenyu husingaperi.
  30811. Jud 1:22 Ivaiwo netsitsi nevamwe muchipa mutsauko,
  30812. Jud 1:23 asi vamwe muvaponese nekutya, muchivabvuta kubva mumoto; muchivenga kunyange nguvo yakasvibiswa nezvinobva panyama.
  30813. Jud 1:24 Zvino kuna iye anogona kukuchengetai pasina kugumburwa, nekukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pekubwinya kwake mumufaro mukuru,
  30814. Jud 1:25 kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kose. Ameni
  30815. Rev 1:1 Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani,
  30816. Rev 1:2 iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvose zvaakaona.
  30817. Rev 1:3 Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi, vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo.
  30818. Rev 1:4 Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye waiva aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
  30819. Rev 1:5 nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
  30820. Rev 1:6 akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  30821. Rev 1:7 Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rose richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ose enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
  30822. Rev 1:8 Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newaiva aripo, neachazouya, Wemasimbaose.
  30823. Rev 1:9 Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndaiva ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu.
  30824. Rev 1:10 Ndaiva ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda,
  30825. Rev 1:11 richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia.
  30826. Rev 1:12 Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe,
  30827. Rev 1:13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, umwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe.
  30828. Rev 1:14 Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
  30829. Rev 1:15 uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji.
  30830. Rev 1:16 Uye waiva ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.
  30831. Rev 1:17 Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;
  30832. Rev 1:18 uye mupenyu; ndaiva ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvika rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.
  30833. Rev 1:19 Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi.
  30834. Rev 1:20 Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.
  30835. Rev 2:1 Kumutumwa wekereke yeEfeso nyora [uti]: Zvinhu izvi anoreva iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe,
  30836. Rev 2:2 achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema,
  30837. Rev 2:3 wakamirawo uye ukava nemoyo murefu, uye nekuda kwezita rangu wakarwisa, ukasaneta.
  30838. Rev 2:4 Asi ndine kupikisana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.
  30839. Rev 2:5 Naizvozvo rangarira pawakawa, uye tendeuka, uitewo mabasa ekutanga; kana zvikasadarowo ndichauya kwauri nekukurumidza, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje kubva panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.
  30840. Rev 2:6 Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, neni andinovenga.
  30841. Rev 2:7 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Kuna iye anokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu uri pakati peParadhiso yaMwari.
  30842. Rev 2:8 Nekumutumwa wekereke yeSimirina nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Wekutanga neWekupedzisira, wakava akafa ndokurarama:
  30843. Rev 2:9 Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekutuka kwevanoti ivo vaJudha pachavo, asi vasiri, asi vari sinagoge raSatani.
  30844. Rev 2:10 Usatya chimwe chezvinhu zvaoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvika parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu.
  30845. Rev 2:11 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda haatongokuvadzwi nerufu rwechipiri.
  30846. Rev 2:12 Uye kumutumwa wekereke iri paPegamo nyora uti: Zvinhu izvi anotaura iye ane munondo unopinza mativi maviri:
  30847. Rev 2:13 Ndinoziva mabasa ako uye paunogara, ipo pane chigaro cheushe chaSatani, uye wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange pamazuva paiva naAntipasi, chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
  30848. Rev 2:14 Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, nokuti unavo ipapo vanobatirira dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kukanda chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabairwa zvifananidzo nekuita upombwe.
  30849. Rev 2:15 Saizvozvo newe unavo vanobatisisa dzidziso yevaNikoraiti, chinhu chandinovenga.
  30850. Rev 2:16 Tendeuka; zvino kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.
  30851. Rev 2:17 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda, ndichapa kwaari kuti adye kubva pamana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risina anoziva, kunze kweanorigamuchira.
  30852. Rev 2:18 Nekumutumwa wekereke iri paTiatira nyora uti: Izvi anoreva Mwanakomana waMwari, ane meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira yakakwenenzverwa:
  30853. Rev 2:19 Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira, nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako, uye kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.
  30854. Rev 2:20 Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, kuti unotendera mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi, kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe nekudya zvakabairwa zvifananidzo.
  30855. Rev 2:21 Zvino ndakamupa nguva kuti atendeuke kubva paufeve hwake, asi haana kutendeuka.
  30856. Rev 2:22 Tarira, ini ndichamukandira panhovo, nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kana vasingatendeuki kubva pamabasa avo.
  30857. Rev 2:23 Uye ndichauraya vana vake murufu; nemakereke ose achaziva kuti ini ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.
  30858. Rev 2:24 Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vari paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura: Handingakutakudzii umwe mutoro.
  30859. Rev 2:25 Asi izvo zvamunazvo batisisai kusvika ndichiuya.
  30860. Rev 2:26 Uye anokunda nekuchengeta mabasa angu kusvika pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;
  30861. Rev 2:27 uye achaatonga netsvimbo yedare; semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.
  30862. Rev 2:28 Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani.
  30863. Rev 2:29 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
  30864. Rev 3:1 Uye kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora [uti]: Zvinhu izvi anoreva iye ane Mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rekuti unorarama, asi wakafa.
  30865. Rev 3:2 Iva wakarinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.
  30866. Rev 3:3 Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; uye chengeta, uye tendeuka. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungatongozivi kuti iawa ripi randichauya naro pamusoro pako.
  30867. Rev 3:4 Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni munguvo chena, nokuti vakafanira.
  30868. Rev 3:5 Uyo anokunda, ndiye achapfekedzwa nguvo chena; uye handichatongodzimi zita rake pabhuku reupenyu, uye ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.
  30869. Rev 3:6 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
  30870. Rev 3:7 Nekumutumwa wekereke iri muFiradhefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura:
  30871. Rev 3:8 Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.
  30872. Rev 3:9 Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti vaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda.
  30873. Rev 3:10 Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yose, kuedza vanogara panyika.
  30874. Rev 3:11 Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako.
  30875. Rev 3:12 Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
  30876. Rev 3:13 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
  30877. Rev 3:14 Nekumutumwa wekereke yevaRaodhikia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:
  30878. Rev 3:15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa.
  30879. Rev 3:16 Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
  30880. Rev 3:17 Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama;
  30881. Rev 3:18 ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakaidzwa mumoto, kuti ufume; nenguvo chena, kuti upfeke, uye nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uye uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.
  30882. Rev 3:19 Vose vandinoda ini, ndinotsiura nekuranga. Naizvozvo shingaira utendeuke.
  30883. Rev 3:20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
  30884. Rev 3:21 Anokunda, ndichamupa kugara neni pachigaro changu cheushe, sezvo neni ndakakunda ndikagara pamwe naBaba vangu pachigaro chavo cheushe.
  30885. Rev 3:22 Ane nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kumakereke.
  30886. Rev 4:1 Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga, nenzwi rekutanga randakanzwa [rakaita] serehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kweizvi.
  30887. Rev 4:2 Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
  30888. Rev 4:3 Iye waiva agere pakuonekwa waiva akafanana nebwe rejasipisi nesadhio; nemurarabungu wakakomberedza chigaro cheushe waitaridzika sebwe reemaradhi.
  30889. Rev 4:4 Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvaiva zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vaiva vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.
  30890. Rev 4:5 Nepachigaro cheushe pakabuda mheni nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
  30891. Rev 4:6 Zvino pamberi pechigaro cheushe paiva pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
  30892. Rev 4:7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chaiva chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chaiva chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chaiva chakafanana negondo rinobhururuka.
  30893. Rev 4:8 Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chaiva chine mapapiro matanhatu mativi ose, nemukati zvaiva zvizere nemeso; uye hazvizorori masikati neusiku, zvichiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe Mwari, Wemasimbaose, waiva aripo, uye aripo, neachazouya.
  30894. Rev 4:9 Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvika rinhi narinhi,
  30895. Rev 4:10 vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti:
  30896. Rev 4:11 Makafanira, Ishe, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba; nokuti ndimwi makasika zvinhu zvose, uye nekuda kwechido chenyu zviripo uye zvakasikwa.
  30897. Rev 5:1 Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye waiva agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
  30898. Rev 5:2 Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro?
  30899. Rev 5:3 Asi kwaiva kusina munhu kudenga, kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira.
  30900. Rev 5:4 Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira.
  30901. Rev 5:5 Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe.
  30902. Rev 5:6 Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yose.
  30903. Rev 5:7 Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe.
  30904. Rev 5:8 Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane mbira nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.
  30905. Rev 5:9 Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rose, nerurimi, nevanhu, nerudzi,
  30906. Rev 5:10 makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.
  30907. Rev 5:11 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwaiva kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru,
  30908. Rev 5:12 vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.
  30909. Rev 5:13 Nechisikwa choga-choga chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa, nezvose zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa nerukudzo nekubwinya nesimba kusvika rinhi narinhi.
  30910. Rev 5:14 Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.
  30911. Rev 6:1 Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.
  30912. Rev 6:2 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva waiva ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
  30913. Rev 6:3 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
  30914. Rev 6:4 Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, uye kuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.
  30915. Rev 6:5 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newaiva akaritasva waiva ane chiyereso muruoko rwake.
  30916. Rev 6:6 Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.
  30917. Rev 6:7 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
  30918. Rev 6:8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newaiva akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.
  30919. Rev 6:9 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yeupenyu yevaiva vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.
  30920. Rev 6:10 Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvika rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, mucharega kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
  30921. Rev 6:11 Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvika vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.
  30922. Rev 6:12 Zvino ndakaona paraiva razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;
  30923. Rev 6:13 nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.
  30924. Rev 6:14 Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo roga-roga nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
  30925. Rev 6:15 Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vose, nevakasununguka vose vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,
  30926. Rev 6:16 zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
  30927. Rev 6:17 nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?
  30928. Rev 7:1 Zvino shure kweizvi ndakaona vatumwa vana vamire kumativi mana enyika vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kuvhuvhuta panyika, kana pagungwa, kana pamuti upi zvawo.
  30929. Rev 7:2 Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira kubva kumabvazuva kwezuva ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vaiva vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
  30930. Rev 7:3 achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvika taisa mucherechedzo varanda vaMwari wedu pahuma dzavo.
  30931. Rev 7:4 Zvino ndakanzwa uwandu hwevakaiswa mucherechedzo: Zvuru zana nemakumi mana nezvina vakaiswa mucherechedzo kubva kumarudzi ose evana vaIsraeri.
  30932. Rev 7:5 Kubva kurudzi rwaJudha zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRubheni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaGadhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
  30933. Rev 7:6 kubva kurudzi rwaAsheri zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaNafutarimi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaManase zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
  30934. Rev 7:7 kubva kurudzi rwaSimioni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRevhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaIsasikari zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
  30935. Rev 7:8 kubva kurudzi rwaZebhuruni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaJosefa zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaBhenjamini zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo.
  30936. Rev 7:9 Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzose, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo;
  30937. Rev 7:10 zvino vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari wedu anogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.
  30938. Rev 7:11 Zvino vatumwa vose vakamira vakakomba chigaro cheushe nevakuru nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa pamberi pechigaro cheushe nezviso zvavo, ndokunamata Mwari,
  30939. Rev 7:12 vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvika rinhi narinhi. Ameni.
  30940. Rev 7:13 Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi?
  30941. Rev 7:14 Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana.
  30942. Rev 7:15 Nekuda kweizvi vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye anogara pachigaro cheushe achatandavadza tende pamusoro pavo.
  30943. Rev 7:16 Havachazombovi nenzara kana kuzombova nenyota, uye zuva haringatongovawiri, kana kupisa kupi zvako;
  30944. Rev 7:17 nokuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafunda, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; uye Mwari achapusika misodzi yose pameso avo.
  30945. Rev 8:1 Zvino wakati azarura mucherechedzo wechinomwe, kwakavapo kunyarara kudenga kwakaita sehafu yeawa.
  30946. Rev 8:2 Zvino ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari, kukapiwawo kwavari hwamanda nomwe.
  30947. Rev 8:3 Zvino umwe mutumwa wakauya akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji, kuti azvipe neminyengetero yevatsvene vose pamusoro pearitari yegoridhe yaiva iri pamberi pechigaro cheushe.
  30948. Rev 8:4 Zvino utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira neminyengetero yevatsvene huchibva muruoko rwemutumwa pamberi paMwari.
  30949. Rev 8:5 Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, ndokuuzadza nemoto wearitari, ndokuukanda panyika; zvino kwakavapo manzwi nekutinhira nemheni nekudengenyeka kwenyika.
  30950. Rev 8:6 Zvino vatumwa vanomwe vaiva vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuti varidze.
  30951. Rev 8:7 Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwose hwakapiswa.
  30952. Rev 8:8 Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, zvino chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa; chetatu chegungwa ndokuva ropa;
  30953. Rev 8:9 ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
  30954. Rev 8:10 Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura.
  30955. Rev 8:11 Zvino zita renyeredzi rainzi Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yaiva yavaviswa.
  30956. Rev 8:12 Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa, nechetatu chemwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.
  30957. Rev 8:13 Zvino ndakatarira, ndokunzwa mutumwa umwe achibhururuka ari pakati pedenga achiti nenzwi guru: Mune nhamo, mune nhamo, mune nhamo vagari vepanyika, pamanzwi asara ehwamanda yevatumwa vatatu vachazoridza!
  30958. Rev 9:1 Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, zvino ndakaona nyeredzi ichibva kudenga ichiwira panyika, ndokupiwa kwaari kiyi yegomba risina chigadziko.
  30959. Rev 9:2 Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka kubva mugomba seutsi hwevira guru, nezuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba.
  30960. Rev 9:3 Zvino muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, ndokupiwa kwadziri simba, sezvinyavada zvenyika zvine simba.
  30961. Rev 9:4 Kukanzi kwadziri dzirege kutadzira uswa hwenyika, kana chipi zvacho chinyoro, kana muti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.
  30962. Rev 9:5 Zvino kwakapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; uye kurwadzisa kwadzo kwaiita sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.
  30963. Rev 9:6 Zvino pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.
  30964. Rev 9:7 Uye zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo pane zvakaita sekorona dzakafanana negoridhe, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.
  30965. Rev 9:8 Zvino dzaiva dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akaita seeshumba.
  30966. Rev 9:9 Zvino dzaiva dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvedare, nekutinhira kwemapapiro adzo sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji achimhanyira kuhondo.
  30967. Rev 9:10 Zvino dzaiva dzine miswe yakafanana nezvinyavada, uye paiva pane umborera pamiswe yadzo, nesimba radzo rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
  30968. Rev 9:11 Zvino dzaiva dzina mambo pamusoro padzo, mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru riri Abhadhoni, uye nechiGiriki ane zita Aporioni.
  30969. Rev 9:12 Nhamo imwe yapfuura; tarira, kuchiri kuuya nhamo mbiri shure kweizvi.
  30970. Rev 9:13 Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, zvino ndakanzwa inzwi kubva panyanga ina dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari,
  30971. Rev 9:14 richiti kumutumwa wechitanhatu waiva ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.
  30972. Rev 9:15 Zvino vakasunungurwa vatumwa vana vaiva vakagadzirirwa awa nezuva nemwedzi negore, kuti vauraye chetatu chevanhu.
  30973. Rev 9:16 Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwaiva makumi ezvuru maviri emakumi ezvuru; ndakanzwawo uwandu hwavo.
  30974. Rev 9:17 Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo, nevaiva vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo, nezvesarufa, nemisoro yemabhiza semisoro yeshumba, nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.
  30975. Rev 9:18 Neizvi zvitatu kwakaurawa chetatu chevanhu, nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.
  30976. Rev 9:19 Nokuti simba rawo riri mumuromo wawo, nemumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, uye ine misoro, uye anokuvadza nayo.
  30977. Rev 9:20 Zvino vakasara vevanhu, vasina kuurawa pamatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kunamata madhimoni, nezvifananidzo zvegoridhe nezvesirivha nezvendarira nezvemabwe nezvematanda, zvisingagoniwo kuona, zvisinganzwiwo, uye zvisingafambi;
  30978. Rev 9:21 uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.
  30979. Rev 10:1 Zvino ndakaona umwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri mumusoro [make], uye chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto;
  30980. Rev 10:2 uye waiva ane bhuku diki rakazaruka muruoko rwake; ndokuisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika;
  30981. Rev 10:3 zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; wakatiwo adanidzira, kutinhira kunomwe kukareva manzwi ako.
  30982. Rev 10:4 Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndaiva ndododa kunyora; ndokunzwa inzwi kubva kudenga richiti kwandiri: Zarira nemucherechedzo kutinhira kunomwe zvakwareva, uye usanyora zvinhu izvi.
  30983. Rev 10:5 Zvino mutumwa wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika wakasimudzira ruoko rwake kudenga,
  30984. Rev 10:6 ndokupika naiye anorarama kusvika rinhi narinhi, wakasika denga nezviri mariri, nenyika nezviri mairi, negungwa nezviri mariri, kuti nguva haichazovipo.
  30985. Rev 10:7 Asi pamazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, ipapo chakavanzika chaMwari chapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita.
  30986. Rev 10:8 Zvino inzwi randakanzwa kubva kudenga, rakataura kwandirizve, ndokuti: Enda, tora bhuku diki rakazaruka riri muruoko rwemutumwa amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika.
  30987. Rev 10:9 Zvino ndakaenda kumutumwa, ndichiti kwaari: Ndipe bhuku diki. Zvino akati kwandiri: Tora ugoridya uripedze; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi.
  30988. Rev 10:10 Zvino ndakatora bhuku diki kubva muruoko rwemutumwa, ndokuridya rikapera; ndokuva mumuromo mangu seuchi, kutapira; asi ndakati ndaridya, dumbu rangu rakavava.
  30989. Rev 10:11 Zvino akati kwandiri: Iwe unofanira kuporofitazve pamberi pevanhu nendudzi nendimi nemadzimambo mazhinji.
  30990. Rev 11:1 Zvino kwakapiwa kwandiri rutsanga rwakaita semudonzvo, mutumwa ndokumira achiti: Simuka, zvino yera tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.
  30991. Rev 11:2 Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.
  30992. Rev 11:3 Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.
  30993. Rev 11:4 Ava miti miviri yemiorivhi, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
  30994. Rev 11:5 Zvino kana kune anoshuva kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo wavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana umwe achishuva kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.
  30995. Rev 11:6 Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ose nguva dzose dzavanoda.
  30996. Rev 11:7 Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya.
  30997. Rev 11:8 Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu.
  30998. Rev 11:9 Zvino vanobva kuvanhu nevemarudzi nevendimi nevendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe mumakuva.
  30999. Rev 11:10 Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza vanogara panyika.
  31000. Rev 11:11 Zvino shure kwemazuva matatu nehafu, mweya weupenyu kubva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vakavaona.
  31001. Rev 11:12 Zvino vakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Zvino vakakwira kudenga vari mugore; vavengi vavo ndokuvaona.
  31002. Rev 11:13 Zvino nenguva iyoyo kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, chegumi cheguta ndokuwa, nemazita evanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara ndokuvhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.
  31003. Rev 11:14 Nhamo yechipiri yapfuura; zvino tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kuuya.
  31004. Rev 11:15 Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi.
  31005. Rev 11:16 Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawa nezviso zvavo vakanamata Mwari,
  31006. Rev 11:17 vachiti: Tinokuvongai, Ishe Mwari Wemasimbaose, aripo, waiva aripo, neachauya, nokuti makatora simba renyu guru, uye makatonga.
  31007. Rev 11:18 Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nekuvanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.
  31008. Rev 11:19 Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano yake mutembere yake; ndokuvapo mheni nemanzwi nekutinhira nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.
  31009. Rev 12:1 Zvino kwakaonekwa chiratidzo chikuru kudenga, mukadzi akapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;
  31010. Rev 12:2 uye waiva ane pamuviri, akadanidzira achirwadziwa nemimba, uye achitambudzwa kupona.
  31011. Rev 12:3 Zvino kwakaonekwa chimwe chiratidzo kudenga, tarirawo, zibukanana ziguru zidzvuku, rine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamisoro yaro korona nomwe.
  31012. Rev 12:4 Zvino muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana ndokumira pamberi pemukadzi waiva oda kupona, kuti kana apona, agoparadza mwana wake.
  31013. Rev 12:5 Zvino wakapona mwana mukomana, waiva oda kufudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokubvutirwa kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.
  31014. Rev 12:6 Zvino mukadzi akatizira kurenje, kwaaiva ane nzvimbo yakagadzirwa kubva kuna Mwari, kuti vamuriritira ipapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.
  31015. Rev 12:7 Zvino kukava nehondo kudenga; Mikayeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo;
  31016. Rev 12:8 asi havana kukunda, uye nzvimbo yavo haina kuzowanikwa zvekare kudenga.
  31017. Rev 12:9 Zvino zibukanana ziguru rakakandwa, nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, anonyengera nyika yose; wakakandirwa panyika, nevatumwa vake vakakandwa pamwe naye.
  31018. Rev 12:10 Zvino ndakanzwa inzwi guru richiti kudenga: Ikozvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, neumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, anovapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.
  31019. Rev 12:11 Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko reuchapupu hwavo, uye havana kuda upenyu hwavo kusvika parufu.
  31020. Rev 12:12 Naizvozvi farai, matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari venyika negungwa, nokuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri ane kutsamwa kukuru, nokuti anoziva kuti ane nguva diki.
  31021. Rev 12:13 Zvino zibukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika, rakashusha mukadzi wakapona murume.
  31022. Rev 12:14 Zvino kumukadzi kwakapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.
  31023. Rev 12:15 Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti imukonzerese kukukurwa nerwizi.
  31024. Rev 12:16 Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi zibukanana rwarakabudisa mumuromo maro.
  31025. Rev 12:17 Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake, vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.
  31026. Rev 13:1 Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.
  31027. Rev 13:2 Zvino chikara ichi chandakaona chaiva chakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebheya, nemuromo wacho semuromo weshumba. Zibukanana rikapa kwachiri simba raro, nechigaro charo cheushe, nemasimba makuru.
  31028. Rev 13:3 Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa raiva rapodzwa; uye nyika yose ikashamisika shure kwechikara.
  31029. Rev 13:4 Uye vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara, vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndiani anogona kuita hondo nacho?
  31030. Rev 13:5 Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwawo kwachiri simba rekubata mwedzi makumi mana nemiviri.
  31031. Rev 13:6 Ndokushamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake, netabhenakeri yake, neavo vanogara kudenga.
  31032. Rev 13:7 Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda; kukapiwawo kwachiri masimba pamusoro perudzi rwose nerurimi nerudzi.
  31033. Rev 13:8 Uye vose vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabaiwa kubva pakuvambwa kwenyika.
  31034. Rev 13:9 Kana umwe ane nzeve, ngaanzwe.
  31035. Rev 13:10 Kana umwe achiunganidza muutapwa, anoenda muutapwa; kana umwe achiuraya nemunondo, zvakamufanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.
  31036. Rev 13:11 Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira kubva panyika; uye chaiva chine nyanga mbiri segwayana, ndokutaura sezibukanana.
  31037. Rev 13:12 Uye chakashandisa simba rose rechikara chekutanga pamberi pacho uye chinoita kuti nyika nevagere mukati mayo vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.
  31038. Rev 13:13 Chinoitawo zviratidzo zvikuru, kuti nemoto chinoita kuti uburuke kubva kudenga kuuya panyika pamberi pevanhu.
  31039. Rev 13:14 Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezviratidzo zvakapiwa kwachiri kuti chiite pamberi pechikara, chichiti kune vanogara panyika, ngavaitire mufananidzo chikara chaiva chine vanga remunondo, chikararama.
  31040. Rev 13:15 Zvino kwakapiwa kwachiri kupa mweya kumufananidzo wechikara, kutiwo mufananidzo wechikara utaure, chigoita kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.
  31041. Rev 13:16 Chinoitawo vose, vadiki nevakuru, uye vafumi nevarombo, uye vakasununguka nevaranda, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,
  31042. Rev 13:17 uye kuti kusava neumwe anogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye ane mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.
  31043. Rev 13:18 Hehuno uchenjeri. Ane kunzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nokuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.
  31044. Rev 14:1 Zvino ndakaona, uye tarira, Gwayana ramira pagomo Ziyoni, uye pamwe naro zvuru zana nemakumi mana nezvina, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.
  31045. Rev 14:2 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwawo inzwi revaridzi vembira vachiridza mbira hwavo.
  31046. Rev 14:3 Zvino vakaimba serwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uye hakuna wakagona kudzidza rwiyo, kunze kwezvuru zana nemakumi mana nevana, vakatengwa munyika.
  31047. Rev 14:4 Ava ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nokuti imhandara. Ava ndivo vanotevera Gwayana kupi zvako kwarinoenda. Ava vakatengwa kubva pavanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.
  31048. Rev 14:5 Uye mumuromo wavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nokuti havana chavanopomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.
  31049. Rev 14:6 Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuparidzira vanogara panyika, nekurudzi rwose, nedzinza, nerurimi, nevanhu.
  31050. Rev 14:7 Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, uye mupe rumbidzo kwaari, nokuti nguva yemutongo wake yasvika; uye namatai iye wakaita denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.
  31051. Rev 14:8 Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, rawa, Bhabhironi, guta guru, nokuti rakapa marudzi ose kunwa zvewaini yekutsamwa kweupombwe hwaro.
  31052. Rev 14:9 Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera, achiti nenzwi guru: Kana pane umwe anonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake, kana paruoko rwake,
  31053. Rev 14:10 ndiyewo achanwa zvewaini yekutsamwa kwaMwari, yakadururwa mumukombe wekutsamwa kwake, isina kuvhenganiswa; uye acharwadziswa mumoto uye sarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.
  31054. Rev 14:11 Zvino utsi hwekurwadziwa kwavo hunokwira kusvika rinhi narinhi; uye havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, uye kana pane anogamuchira mucherechedzo wezita racho.
  31055. Rev 14:12 Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.
  31056. Rev 14:13 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, anoreva Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo; nemabasa avo anotevera pamwe navo.
  31057. Rev 14:14 Zvino ndakaona, uye tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yegoridhe pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.
  31058. Rev 14:15 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye waiva agere pamusoro pegore, achiti: Pinza jeko rako ugokohwa; nokuti nguva yekukohwa yakusvikira, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.
  31059. Rev 14:16 Zvino waiva agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ndokukohwewa.
  31060. Rev 14:17 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.
  31061. Rev 14:18 Neumwe mutumwa akabuda muaritari, ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nekudana kukuru kuna iye waiva ane jeko rinopinza, achiti: Tuma jeko rako rinopinza, ugounganidza masumbu emuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.
  31062. Rev 14:19 Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, ndokuunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.
  31063. Rev 14:20 Uye chisviniro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvika pamatomu amabhiza, kubva kumastadhia churu mazana matanhatu.
  31064. Rev 15:1 Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa.
  31065. Rev 15:2 Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane mbira hwaMwari.
  31066. Rev 15:3 Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.
  31067. Rev 15:4 Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi moga mutsvene; nokuti marudzi ose achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.
  31068. Rev 15:5 Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga;
  31069. Rev 15:6 zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe.
  31070. Rev 15:7 Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvika rinhi narinhi.
  31071. Rev 15:8 Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvika matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.
  31072. Rev 16:1 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.
  31073. Rev 16:2 Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vaiva vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.
  31074. Rev 16:3 Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya weupenyu mupenyu wega-wega ukafa mugungwa.
  31075. Rev 16:4 Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.
  31076. Rev 16:5 Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newaiva aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.
  31077. Rev 16:6 Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.
  31078. Rev 16:7 Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.
  31079. Rev 16:8 Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
  31080. Rev 16:9 Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.
  31081. Rev 16:10 Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.
  31082. Rev 16:11 Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
  31083. Rev 16:12 Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
  31084. Rev 16:13 Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;
  31085. Rev 16:14 nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yose, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.
  31086. Rev 16:15 Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
  31087. Rev 16:16 Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
  31088. Rev 16:17 Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
  31089. Rev 16:18 Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.
  31090. Rev 16:19 Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
  31091. Rev 16:20 Zvino chiwi choga-choga chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
  31092. Rev 16:21 Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
  31093. Rev 17:1 Zvino kwakauya umwe wevatumwa vanomwe vaiva vane ndiro nomwe, ndokutaura neni, achiti kwandiri: Uya pano, ndicharatidza kwauri mutongo wemhombwe huru igere pamusoro pemvura zhinji;
  31094. Rev 17:2 madzimambo enyika aakaita upombwe nayo, nevagari vepanyika vakadhakiswa newaini yeupombwe hwayo.
  31095. Rev 17:3 Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekunyomba, chine misoro minomwe nenyanga gumi.
  31096. Rev 17:4 Zvino mukadzi waiva akamonera zvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye akashonga goridhe nemabwe anokosha nemaparera, ane mukombe wegoridhe muruoko rwake uzere nezvinosemesa netsvina yeupombwe hwake.
  31097. Rev 17:5 Nepahuma yake paiva pakanyorwa zita rekuti: CHAKAVANZIKA, BHABHIRONI GURU, MAI VEMHOMBWE NEZVINOSEMESA ZVENYIKA.
  31098. Rev 17:6 Zvino ndakaona mukadzi akararadza neropa revatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu. Zvino ndakati ndamuona ndikashamisika nekushamisika kukuru.
  31099. Rev 17:7 Zvino mutumwa akati kwandiri: Washamisika nei? Ini ndichakuudza chakavanzika chemukadzi, nechechikara chinomutakura, chine misoro minomwe nenyanga gumi.
  31100. Rev 17:8 Chikara chawakaona, chaivapo, uye chisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko, chichienda mukuparadzwa; uye vanogara panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika, vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo.
  31101. Rev 17:9 Zvino heino fungwa ine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe mukadzi paagere pamusoro pawo,
  31102. Rev 17:10 uye ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, uye umwe aripo, umwe haasati asvika; uye kana achisvika, anofanira kugara chinguvana.
  31103. Rev 17:11 Uye chikara chaivapo, uye chisipo, ndiyewo werusere, uye anobva pavanomwe, uye anoenda mukuparadzwa.
  31104. Rev 17:12 Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi, asati agamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe.
  31105. Rev 17:13 Ava vane fungwa imwe, uye vanopa simba neutongi hwavo kuchikara.
  31106. Rev 17:14 Ava vacharwa neGwayana, uye Gwayana richavakunda, nokuti ndiIshe wemadzishe naMambo wemadzimambo; nevanaro ndevakadanwa nevakasarudzwa nevakatendeka.
  31107. Rev 17:15 Zvino akati kwandiri: Mvura yawaona, pagere mhombwe, ndivo vanhu nezvaunga nemarudzi nendimi.
  31108. Rev 17:16 Uye nyanga gumi dzawaona pamusoro pechikara, avo vachavenga mhombwe, uye vachaiparadza nekuifukura, uye vachadya nyama yayo, nekuipisa nemoto.
  31109. Rev 17:17 Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite fungwa yake, vaite fungwa imwe, nekupa chikara ushe hwavo, kusvika mashoko aMwari apedzeredzwa.
  31110. Rev 17:18 Zvino mukadzi wawaona ndiro guta guru, rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.
  31111. Rev 18:1 Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona umwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ndokuvhenekerwa nokubwinya kwake.
  31112. Rev 18:2 Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yose yetsvina, nedendere reshiri dzose dzetsvina dzinovengwa.
  31113. Rev 18:3 Nokuti marudzi ose akanwa zvewaini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevashambadzi venyika vakafuma nesimba reumbozha hwaro.
  31114. Rev 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu, kuti murege kuva vagovani vezvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro;
  31115. Rev 18:5 nokuti zvivi zvaro zvasungana kusvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.
  31116. Rev 18:6 Muritsive sezvarakakutsivaiwo imwi, muchiripamhidzira kupamhidzira kunoenderana nemabasa aro; mumukombe iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.
  31117. Rev 18:7 Separakazvikudza kudai napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, uye handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.
  31118. Rev 18:8 Naizvozvo achasvika nezuva rimwe matambudziko aro, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto; nokuti ane simba Ishe Mwari anoritonga.
  31119. Rev 18:9 Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro, pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;
  31120. Rev 18:10 vamire kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika neawa rimwe.
  31121. Rev 18:11 Uye vashambadzi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu achatenga zvitengeswa zvavozve;
  31122. Rev 18:12 zvitengeswa zvegoridhe, nezvesirivha, nezveibwe rinokosha, nezvemaparera nezvemucheka wakaisvonaka, nezvine ruvara rwehute, nezvesiriki, nezvezvitsvuku, nemuti umwe neumwe unonhuhwira, nemarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ose emidziyo yematanda anokoshesesa, nezvendarira, nezvedare, nezvemabwe machena;
  31123. Rev 18:13 nekinamoni, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, nemakwai, nezvemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yeupenyu yevanhu.
  31124. Rev 18:14 Zvino michero yaichiviwa nemweya weupenyu wako yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvinobwinya nezvinopenya zvabva kwauri, uye haungatongozviwanizve.
  31125. Rev 18:15 Vashambadzi vezvinhu izvi, vakafumiswa naro, vachamira kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachichema nekurira,
  31126. Rev 18:16 uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, raiva rakapfeka mucheka wakaisvonaka nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye rakashongedzwa negoridhe nebwe rinokosha nemaparera!
  31127. Rev 18:17 Nokuti neawa rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevose vanofamba pamwe muzvikepe, nevafambi vemuchikepe, nevabati vose vepagungwa vakamira kure,
  31128. Rev 18:18 ndokudanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Nderipi rakafanana naro guta guru?
  31129. Rev 18:19 Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, ndokudanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, maifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe pagungwa; nokuti rakaparadzwa neawa rimwe.
  31130. Rev 18:20 Fara pamusoro paro, iwe denga, nemwi vaapositori vatsvene, nevaporofita, nokuti Mwari wakatonga mutongo wenyu kwariri.
  31131. Rev 18:21 Zvino mutumwa umwe ane simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akaposhera mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba Bhabhironi guta guru richaposherwa uye harichazotongowanikwizve.
  31132. Rev 18:22 Nenzwi revaridzi vembira nerevaimbi nerevaridzi venyere nerevaridzi vehwamanda harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hupi nehupi haichatongowanikwizve mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwikwizve mauri;
  31133. Rev 18:23 uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekerizve mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nokuti vashambadzi vako vaiva vakuru venyika; nokuti neuroyi hwako marudzi ose akatsauswa.
  31134. Rev 18:24 Zvino mariri makawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevose vakauraiwa panyika.
  31135. Rev 19:1 Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
  31136. Rev 19:2 nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
  31137. Rev 19:3 Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvika rinhi narinhi.
  31138. Rev 19:4 Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari waiva agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya!
  31139. Rev 19:5 Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mose varanda vake, nevanomutya, zvose vadiki nevakuru.
  31140. Rev 19:6 Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose.
  31141. Rev 19:7 Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira.
  31142. Rev 19:8 Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene.
  31143. Rev 19:9 Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari.
  31144. Rev 19:10 Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wechiporofita.
  31145. Rev 19:11 Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newaiva agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa.
  31146. Rev 19:12 Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.
  31147. Rev 19:13 Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari.
  31148. Rev 19:14 Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika.
  31149. Rev 19:15 Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
  31150. Rev 19:16 Uye panguvo nepachidzva chake paiva pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE.
  31151. Rev 19:17 Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru,
  31152. Rev 19:18 kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yevose, zvose yevakasununguka neyevakasungwa, zvose yevadiki neyevakuru.
  31153. Rev 19:19 Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newaiva akatasva bhiza, uye nehondo yake.
  31154. Rev 19:20 Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa.
  31155. Rev 19:21 Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewaiva akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzose dzikagutiswa nenyama yavo.
  31156. Rev 20:1 Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.
  31157. Rev 20:2 Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
  31158. Rev 20:3 ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake, kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvika makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki.
  31159. Rev 20:4 Zvino ndakaona zvigaro zveushe, uye vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwavari; ndikaona nemweya yeupenyu yevaiva vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, uye nekuda kweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, nevasina kugamuchira mucherechedzo pahuma yavo neparuoko rwavo; zvino vakararama uye vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
  31160. Rev 20:5 Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvika makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
  31161. Rev 20:6 Wakaropafadzwa uye mutsvene ane mugove pakumuka kwekutanga; pane ava rufu rwechipiri harwuna simba; asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachabata ushe pamwe naye makore churu.
  31162. Rev 20:7 Zvino panopera makore churu, Satani achasunungurwa kubva mutirongo rake,
  31163. Rev 20:8 zvino uchabuda kutsausa marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire hondo; uwandu hwavo hwakaita sejecha regungwa.
  31164. Rev 20:9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodikanwa; moto ndokuburuka kubva kuna Mwari uchibva kudenga ndokuvamedza.
  31165. Rev 20:10 Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvika rinhi narinhi.
  31166. Rev 20:11 Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, newaiva agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
  31167. Rev 20:12 Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari, mabhuku ndokuzarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu; vakafa vakatongwa kubva pane zvaiva zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
  31168. Rev 20:13 Zvino gungwa rakapa vakafa vaiva vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vaiva vari mazviri; uye vakatongwa, umwe neumwe, zvichienderana nemabasa avo.
  31169. Rev 20:14 Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.
  31170. Rev 20:15 Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto.
  31171. Rev 21:1 Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvaiva zvapfuura, uye gungwa raiva risisipo.
  31172. Rev 21:2 Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kuna Mwari kubva kudenga, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.
  31173. Rev 21:3 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva kudenga, richiti: Tarira, tabhenakeri yaMwari iri pavanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene achava navo, ari Mwari wavo.
  31174. Rev 21:4 Zvino Mwari achapusika misodzi yose kubva pameso avo, nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hakungachavipo; nokuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.
  31175. Rev 21:5 Zvino agere pachigaro cheushe wakati: Tarira, ndinoita zvinhu zvose zvive zvitsva. Ndokuti kwandiri: Nyora; nokuti mashoko awa ndeechokwadi uye akatendeka.
  31176. Rev 21:6 Zvino akati kwandiri: Zvaitika. Ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira. Ini ndichapa kuna iye ane nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.
  31177. Rev 21:7 Anokunda achagara nhaka yezvinhu zvose; uye ndichava Mwari wake, naiye achava mwanakomana wangu.
  31178. Rev 21:8 Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevose varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri.
  31179. Rev 21:9 Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vaiva vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira, akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.
  31180. Rev 21:10 Zvino wakanditakurira muMweya kugomo guru uye refu, akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richiburuka kubva kudenga kubva kuna Mwari,
  31181. Rev 21:11 rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi, rinonjenjemera sekrisitaro;
  31182. Rev 21:12 uye raiva rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri, nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa pamusoro, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.
  31183. Rev 21:13 Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu; kuchamhembe masuwo matatu; nekumavirira masuwo matatu;
  31184. Rev 21:14 zvino rusvingo rweguta rwaiva rwune nheyo gumi nembiri, nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.
  31185. Rev 21:15 Zvino wakataura neni waiva ane rutsanga rwegoridhe, kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro.
  31186. Rev 21:16 Zvino guta raiva rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana.
  31187. Rev 21:17 Zvino wakayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, chiyero chemunhu, chinova chemutumwa.
  31188. Rev 21:18 Uye maiva nechivakwa cherusvingo rwaro, jasipisi, uye guta riri goridhe rakakwana, rakafanana negirazi rakachenesesa.
  31189. Rev 21:19 Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nebwe rimwe nerimwe rinokosha. Nheyo yekutanga ijasipisi, yepiri isafiri, yetatu ikarikidhoni, yechina iemaradhi,
  31190. Rev 21:20 yeshanu isaridhonikisi, yetanhatu isaridhio, yechinomwe ikrisoriti, yerusere bheriri, yepfumbamwe topasi, yegumi kirisopirasi, yegumi neimwe hiasindi, yegumi nembiri ametesiti.
  31191. Rev 21:21 Zvino masuwo gumi nemaviri maparera gumi nemaviri; rimwe nerimwe remasuwo raiva riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta igoridhe rakakwana segirazi rinonjenjemera.
  31192. Rev 21:22 Zvino handina kuona tembere mukati marwo, nokuti Ishe Mwari Wemasimbaose itembere yarwo, neGwayana.
  31193. Rev 21:23 Zvino guta harishaiwi zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nokuti kubwinya kwaMwari kunorivhenekera, nemwenje waro iGwayana;
  31194. Rev 21:24 zvino marudzi evanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauisa kubwinya nerukudzo rwawo mariri.
  31195. Rev 21:25 Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.
  31196. Rev 21:26 Uye vachauisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mariri.
  31197. Rev 21:27 Uye hamungatongopindi chero chinhu chinosvibisa mariri, uye chinosemesa, uye nhema; asi vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.
  31198. Rev 22:1 Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana.
  31199. Rev 22:2 Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
  31200. Rev 22:3 Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira,
  31201. Rev 22:4 zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.
  31202. Rev 22:5 Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havadi mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvika rinhi narinhi.
  31203. Rev 22:6 Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.
  31204. Rev 22:7 Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
  31205. Rev 22:8 Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
  31206. Rev 22:9 Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
  31207. Rev 22:10 Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo.
  31208. Rev 22:11 Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene.
  31209. Rev 22:12 Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake.
  31210. Rev 22:13 Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira.
  31211. Rev 22:14 Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero kumuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
  31212. Rev 22:15 Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevose vanoda nhema vachidziita.
  31213. Rev 22:16 Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani.
  31214. Rev 22:17 Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
  31215. Rev 22:18 Nokuti ndinopupura kune wose anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
  31216. Rev 22:19 uye kana munhu upi zvake akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
  31217. Rev 22:20 Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
  31218. Rev 22:21 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.
  31219.